Revelation (Shona)
1
1:1b.REV.001.001 Zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari, kuti aratidze varanda vake zvinhu izvo zvinofanira kukurumidza kuitwa; akazvituma nomutumwa wake, ndokuzivisa muranda wake Johane;
1:2b.REV.001.002 wakapupurira shoko raMwari, nezvokupupura kwaJesu Kristu, achireva zvose zvaakavona.
1:3b.REV.001.003 Wakaropafadzwa uyo unorava, navanonzwa mashoko okuporofita, uku vachichengeta zvakanyorwa imomo, nokuti nguva yava pedo. Vakanyorerwa: Kereke nomwe paAsia
1:4b.REV.001.004 Johane kukereke nomwe dziri paAsia: Nyasha ngadzive nemi, norugare, zvinobva kunaiye uripo, wakanga aripo, nouchazovapo; nokunemweya minomwe iri pamberi pechigaro chake chovushe;
1:5b.REV.001.005 nokunaJesu Kristu, chapupu chakatendeka, dangwe kuvakafa, mubati wamadzishe enyika. Kuna iye wakatida akatisuka, pazvivi zvedu neropa rake,
1:6b.REV.001.006 akatiita madzimambo, navaPirisita kunaMwari naBaba vake, kwaari ngakuve kubwinya nesimba nokusingaperi peri. Ameni.
1:7b.REV.001.007 Tarirai, unovuya namakore, meso ose achamuvona, naivo vakamubaya; marudzi ose enyika achachema nokuda kwake. Hongo, Ameni.
1:8b.REV.001.008 Ndini Arfa naOmega, wokutanga nowokupedzisira, ndizvo zvinoreva Ishe Mwari, uripo, wakanga aripo, nouchazovapo, wamasimba ose. Jesu unozviratidza kunaJohane paPatmosi
1:9b.REV.001.009 Ini Johane, hama yenyu, mugoverani pamwe chete nemi pakutambudzika, novushe, nokutsungirira munaJesu, Kristu ndakanga ndiri pachiwi chinonzi Patmosi, nokuda kweshoko raMwari, nokupupura muna Jesu Kristu.
1:10b.REV.001.010 Ndakanga ndiri muMweya nezuva raShe, ndikanzwa shure kwangu inzwi guru, rinenge serehwamanda,
1:11b.REV.001.011 richiti: Ndini Alpha na Omega wokutanga nowokupedzisira izvo Zvaunovona, zvinyore mubhuku, uzvitumire kereke nomwe, dziri muAsia, paEfeso, napaSmirna, napaPergamo, napaTiatira, napaSardisi, napaFiraderfia, napaRaodikia.
1:12b.REV.001.012 Ndikatendevuka kuti ndivone inzwi rakataura neni. Ndakati ndatendevuka, ndikavona zvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama;
1:13b.REV.001.013 napakati pezvigadziko zvemwenje, mumwe wakafanana noMwanakomana womunhu, akafuka nguvo yakasvikira kutsoka, akazvisunga napachifuva nebhanire rendarama.
1:14b.REV.001.014 Musoro wake nevhudzi rake zvakanga zviri zvichena samakushe machena, sechando; meso ake akaita somurazvo womoto;
1:15b.REV.001.015 tsoka dzake dzakanga dzakafanana nesafuri inopenya, inenge yakanatswa muvira; inzwi rake rakanga rakaita senzwi remvura zhinji.
1:16b.REV.001.016 Muruvoko rwake rworudyi wakanga akabata nyeredzi nomwe; mumuromo make makabuda munondo unopinza, unocheka kwose; chiso chake chaiva sezuva rinopenya nesimba raro.
1:17b.REV.001.017 Ndakati ndichimuvona, ndikawira pasi patsoka dzake sendinenge ndafa; akaisa ruvoko rwake rworudyi pamusoro pangu, akati: kwandiri usatya, ndini wokutanga nowokupedzisira.
1:18b.REV.001.018 naiye Mupenyu; ndakanga ndafa, tarira ndiri mupenyu nokusingaperiperi; ndinekiyi dzorufu neHadhesi.
1:19b.REV.001.019 Naizvozvo nyora zvawavona, nezviripo, nezvichazovapo shure kwaizvozvi;
1:20b.REV.001.020 zvakavanzika zvenyeredzi nomwe dzawavona muruvoko rworudyi rwangu, nezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama. Nyeredzi nomwe ndivo vatumwa vekereke nomwe; nezvigadziko zvemwenje zvinomwe ndidzo kereke nomwe.
2
2:1b.REV.002.001 Nyorera mutumwa wekereke iri paEfeso, uti: Zvanzi naiye wakabata nyeredzi nomwe murovoko rwake rworudyi, unofamba pakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama:
2:2b.REV.002.002 Ndinoziva mabasa ako, nokutambudzika kwako, nokutsungirira kwako, vuye kuti haudi kuvonana navanhu vakaipa; wakavaidza ivo vanoti, tiri vaapostora, vasi ivo chaivo, ukavawana vari venhema;
2:3b.REV.002.003 ukatsungirira nokuva nomoyo murefu nokuda kwezita rangu, ukasaneta.
2:4b.REV.002.004 Asi handifari nechinhu icho kwauri, kuti wakasiya rudo rwako rwokutanga.
2:5b.REV.002.005 Naizvozvo rangarira pawakawa, utendevuke, ugoita mabasa ako okutanga; kana usingaiti saizvozvo, ndichavuya kwawuri, ndikabvisa chigadziko chako chomwenje panzvimbo yacho, kana usingatendevuki.
2:6b.REV.002.006 Asi chinhu ichi unacho, kuti unovenga mabasa avaNikoraiti, andinovenga neni vo.
2:7b.REV.002.007 Unenzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke; unokunda, ndichamutendera kuti adye muti wovupenyu, uri muParadhiso yaMwari. Mwadhi kukereke iri paSmirna
2:8b.REV.002.008 Nyorera mutumwa wekereke iri paSmirna, uti: Zvanzi naiye wokutanga nowokupedzisira, wakanga afa, akararama zve:
2:9b.REV.002.009 Ndinoziva mabasa ako nokutambudzika kwako novurombo bwako, (asi uri mufumi), nokutuka kwaivo vanoti, tiri vaJudha, vasi ivo chaivo, asi isinagoge raSatani,
2:10b.REV.002.010 usatya izvo zvauchatambudzika na zvo. Tarira, Dhiabhorosi woda kuisa vamwe venyu mutorongo, kuti muidzwe; muchatambudzika mazuva anegumi. Uve wakatendeka kusvikira parufu, ndigokupa korona yovupenyu.
2:11b.REV.002.011 Unenzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke; unokunda, haangakuvadzwi norufu rwechipiri. Mwadhi kukereke iri paPergamo
2:12b.REV.002.012 Nyorera mutumwa wekereke iri paPergamo, uti: Zvanzi naiye unomunondo, unopinza, unocheka kwose;
2:13b.REV.002.013 Ndinoziva mabasa ako vuye kuti, paunogara, ndipo pane chigaro chovushe chaSatani; wakabatisisa zita rangu, ukasaramba kutenda kwangu, kunyange napamazuva aAntipasi, chapupu changu, munhu wangu wakatendeka, wakavurawa pakati penyu, apo panogara Satani.
2:14b.REV.002.014 Asi handifari nezvimwe zvinhu zvishoma kwauri, nokuti unavamwepo vanobatisisa dzidziso yaBharami, wakadzidzisa Bharaki kuisa chigumbuso pamberi pavana vaIsraeri, chokuti vadye zvakabayirwa zvifananidzo, nokuita vupombwe,
2:15b.REV.002.015 Nokudaro unavamwe vo vanobatisisa saizvozvo dzidziso yavaNikoraiti, chinhu chandinovenga..
2:16b.REV.002.016 Naizvozvo tendevuka; kana usingaiti saizvozvo, ndichakurumidza kuvuya kwauri, ndigorwa navo nomunondo womuromo wangu.
2:17b.REV.002.017 Unenzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Unokunda, ndichamupa mana yakavanzika, vuye ndichamupa ibwe jena, napabwe iro zita idzwa rakanyorwapo, risingazikanwi nomunhu, asi naiye unoripiwa. Mwadhi kukereke iri paTiatira
2:18b.REV.002.018 Nyorera mutumwa wekereke iri paTiatira, uti: Zvanzi noMwanakomana waMwari, unameso akafanana nomurazvo womoto, netsoka dzake dzakaita sesafuri inopenya;
2:19b.REV.002.019 Ndinoziva mabasa ako, norudo, nokutenda, nokushumira, nokutsungirira kwako, vuye kuti mabasa ako okupedzisira anopfuvura okutanga.
2:20b.REV.002.020 Asi handifari nechinhu ichi kwauri, kuti unotendera uya mukadzi Jesibheri, unozviidza muporofitakadzi, vuye unodzidzisa nokutsausa varanda vangu, kuti vaite vupombwe, nokudya zvakabayirwa zvifananidzo,
2:21b.REV.002.021 Ndakamupa nguva kuti atendevuke; akaramba kutendevuka pakufeva kwake.
2:22b.REV.002.022 Tarira, ndoda kumukandira panhovo, navanoita vupombwe naye panhamo huru, kana vasingatendevuki pamabasa avo.
2:23b.REV.002.023 Navana vake ndichavavuraya norufu; nekereke dzose dzichaziva kuti ndini ndinonzvera itsvo nomoyo; ndichapa mumwe nomumwe wenyu paakabata napo.
2:24b.REV.002.024 Asi kwamuri, imi makasara paTiatira, vose vasine-dzidziso iyi, vasingazivi izvo zvavanoti zvakadzika zvaSatani, ndinoti kwamuri: Handingakutakudziyi mumwe mutoro.
2:25b.REV.002.025 Asi batisai izvo zvamunazvo kusvikira ndichivuya.
2:26b.REV.002.026 Unokunda achichengeta mabasa angu kusvikira pakupedzisira, ndichamupa simba pamusoro pamarudzi;
2:27b.REV.002.027 uchaafudza netsvimbo yedare,sehari dzomuvumbi dzinoputsanyiwa; sezvandakapiwa vo naBaba vangu.
2:28b.REV.002.028 Vuye ndichamupa nyamasase.
2:29b.REV.002.029 Unenzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.
3
3:1b.REV.003.001 Nyorera mutumwa wekereke iri paSardhisi, uti: Zvanzi naiye unemweya minomwe yaMwari, nenyeredzi nomwe: Ndinoziva mabasa ako, kuti unonzi uri mupenyu, asi wakafa.
3:2b.REV.003.002 Pepuka, usimbise izvo zvakasara, zvakanga zvodo-kufa; nokuti handina-kuwana mabasa ako kuti akakwana pamberi paMwari wangu.
3:3b.REV.003.003 Naizvozvo rangarira kuti wakagamuchira nokunzwa sei; uzvichengete, utendevuke. Naizvozvo kana usingapepuki, ndichavuya sembavha, haungazivi nguva yandichakuwira nayo.
3:4b.REV.003.004 Asi unamazita mashoma paSardhisi avanhu vasina kusvibiswa nguvo dzavo; vachafamba neni vanenguvo chena, nokuti vakafanirwa nazvo.
3:5b.REV.003.005 Unokunda, uchapfekedzwa saizvozvo nguvo chena; handingatongodzimi zita rake pabhuku yovupenyu, ndichapupura zita rake pamberi paBaba vangu, napamberi pavatumwa vake.
3:6b.REV.003.006 Unenzeve ngaanzwe zvinoreva mweya kukereke. Mwadhi kukereke iri paFiradherfia
3:7b.REV.003.007 Nyorera mutumwa wekereke iri paFiradherfia, uti: Zvanzi naiye mutsvene, iye wa zvokwadi, iye unekiyi yaDhavhidhi, iye unoti kana achizarura, hakuna unopfiga, kana achipfiga, hakuna unozarura:
3:8b.REV.003.008 Ndinoziva mabasa ako, (tarira, ndakaisa pamberi pako mukova wakazaruka, hakuna ungagona kuupfiga), kuti unesimba shoma hako; wakachengeta shoko rangu, ukasaramba zita rangu.
3:9b.REV.003.009 Tarira ndinokupa vamwe vari vesinagoge raSatani, vanoti, tiri vaJudha, vasiri ivo chaivo, asi vanoreva nhema; tarira, ndichavavuyisa kuti vanamate pamberi petsoka dzako, vuye vazive kuti ndakakuda.
3:10b.REV.003.010 Zvawakachengeta shoko rokutsungirira kwangu, ndichakuchengeta vo panguva yokuidzwa yoda kuvuya panyika yose, kuidzwa vanogara panyika.
3:11b.REV.003.011 Tarira ndinokurumidza kuvuya; batisisa icho chaunacho, kuti urege kutorerwa korona yako.
3:12b.REV.003.012 Unokunda ndichamuita mbiru mutembere yaMwari wangu, haangazobudimo zve; ndichanyora pamusoro pake zita raMwari wangu, nezita reguta raMwari wangu, Jerusarema idzva rinoburuka kudenga kunaMwari wangu, nezita rangu idzva.
3:13b.REV.003.013 Unenzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Mwadhi kukereke iri paRaodhikia
3:14b.REV.003.014 Nyorera mutumwa wekereke iri paRaodhikia, uti: Zvanzi naAmeni, chapupu chakatendeka, chazvokwadi, kutanga kwezvisikwa zvaMwari;
3:15b.REV.003.015 Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori kana kupisa. Dai uchitonhora kana kupisa.
3:16b.REV.003.016 Zvino zvaunodziya, usingatonhori kana kupisa, ndichakusvisvina mumuromo mangu.
3:17b.REV.003.017 Nokuti unoti, ndakafuma, ndakafumiswa, handishaiwi chinhu; usingazivi, kuti ndiwe unovurombo nenhamo, uri murombo nebofu usina chokufuka.
3:18b.REV.003.018 Ndinokupa zano kuti utenge kwandiri ndarama yakaidzwa mumoto, kuti uve nefuma, nenguvo chena, kuti uzvifukidze, nyadzi dzokusafuka kwako dzirege kuvonekwa; nechizoro chameso, kuti uzore meso ako, uvone.
3:19b.REV.003.019 Vose vandinoda ndinovaranga nokuvarova; naizvozvo shingaira utendevuke.
3:20b.REV.003.020 Tarira, ndimire pamukova, ndichigogodza; kana munhu akanzwa inzwi rangu, akazarura mukova ndichapinda kwaari, ndicharayira naye, naiye ucharayira neni.
3:21b.REV.003.021 Unokunda ndichamupa chinhu ichi, kuti agare neni pachigaro changu chovushe, seni vo ndakakunda, ndikagara pamwe chete nababa vangu pachigaro chavo chovushe.
3:22b.REV.003.022 Unenzeve ngaanzwe zinoreva Mweya kukereke.
4
4:1b.REV.004.001 Shure kwaizvozvo, ndakatarira ndikavona mukova wakazaruka kudenga; nenzwi rokutanga randakanzwa rakaita serehwamanda richitaura neni; richiti: Kwira pano, ndigokuratidza zvinofanira kuitwa shure kwaizvozvo.
4:2b.REV.004.002 Pakarepo ndakava muMweya; tarira chigaro chovushe chakagadzwa kudenga, nomumwe agere pachigaro.
4:3b.REV.004.003 Iye wakanga agerepo wakanga akafanana nebwe rejaspisi neresardio; kwakanga kunomurarabungu wakakomberedza chigaro chovushe, wakafanana nebwe resmaragdino.
4:4b.REV.004.004 Kwakanga kunezvigaro zvovushe zvinamakumi maviri nezvina zvakanga zvakakomberedza chigaro chovushe; napazvigaro pakanga pagere Vakuru vanamakumi maviri navana, vakapfeka nguvo chena; vakanga vanekorona dzendarama pamisoro yavo.
4:5b.REV.004.005 Napachigaro chovushe pakanga pachibuda mheni, namanzwi, nokutinhira; nemwenje minomwe yakanga ichipfuta pamberi pechigaro chovushe, iri Mweya minomwe yaMwari.
4:6b.REV.004.006 Pamberi pechigaro chovushe pakanga panegungwa rakavonekera, rakafanana nekristaro; napakati pechigaro chovushe, napamativi ose echigaro chovushe, pakanga panezvisikwa zvina zvipenyu, zvizere nameso mberi neshure kwazvo.
4:7b.REV.004.007 Chisikwa chipenyu chokutanga chakanga chakafanana neshumba, chisikwa chipenyu chechipiri chakanga chakafanana nemhuru, chisikwa chipenyu chechitatu chakanga chinechiso chakaita sechomunhu, nechisikwa chipenyu chechina chakanga chakafanana negondo rinobururuka.
4:8b.REV.004.008 Nezvisikwa zvipenyu izvi zvina zvakanga zvizere nameso kunhivi dzose nomukati; hazvizorori masikati novusiku, zvichiti: Mutsvene mutsvene mutsvene, iye Ishe Jehovha wehondo, wamasimba ose, iye wakanga aripo, uripo, nouchazovuya.
4:9b.REV.004.009 Zvino kana zvisikwa zvipenyu izvi zvovigira iye unogara pachigaro chovushe, iye uri mupenyu nokusingaperi-peri, kubwinya, nokukudzwa, nokuvonga,
4:10b.REV.004.010 Vakuru vanamakumi maviri navana vowira pasi pamberi paiye ugere pachigaro chovushe vachimunamata iye, uri mupenyu nokusingaperi-peri, vachikandira korona dzavo pamberi pechigaro chovushe, vachiti:
4:11b.REV.004.011 Imi Ishe, Mwari wedu, makafanira kuti muvigirwe kubwinya, nokukudzwa, nesimba, nokuti ndimi makasika zvinhu zvose, zvakavapo, zvakasikwa nokuda kwenyu.
5
5:1b.REV.005.001 Zvino ndakavona muruvoko rworudyi rwaiye wakanga agere pachigaro chovushe bhuku yakanyorwa mukati nokunze kwayo, yakanamatidzwa nezvisimbiso zvinomwe.
5:2b.REV.005.002 Ipapo ndakavona mutumwa, unesimba, achidanidzira nenzwi guru; achiti: Ndianiko wakafanira kuti azarure bhuku iyi, nokusunungura zvisimbiso zvayo?
5:3b.REV.005.003 Asi kwakanga kusinomunhu kudenga napanyika, kana napasi penyika, wakagona kuzarura bhuku iyo, kana kutarira mairi.
5:4b.REV.005.004 Ipapo ndakachema zvikuru, zvakusina-kuwanikwa munhu, wakafanira kuti azarure bhuku, kana kuverenga kana kutarira mairi.
5:5b.REV.005.005 Zvino mumwe waVakuru wakati kwandiri; Usachema hako, tarira, Shumba yorudzi rwaJudha, Mudzi waDhavhidhi, yakakunda kuti izarure bhuku nokusunungura nezvisimbiso zvayo zvinomwe.
5:6b.REV.005.006 Zvino ndakatarira ndikavona pakati pechigaro chovushe nezvisikwa zvipenyu zvina, napakati paVakuru, Gwaiana rimire, rakaita serakabayiwa, rinenyanga nomwe nameso manomwe, iri Mweya minomwe yaMwari, yakatumwa kunyika yose.
5:7b.REV.005.007 Iro rikavuya, rikatora bhuku muruvoko rworudyi rwaiye wakanga agere pachigaro chovushe.
5:8b.REV.005.008 Zvino rakati ratora bhuku, zvisikwa zvipenyu zvina naVakuru vanamakumi maviri navana vakawira pasi pamberi peGwaiana, mumwe nomumwe anorudimbwa, nendiro dzendarama, dzakanga dzizere nezvinonhuwira, iri minyengetero yavatsvene.
5:9b.REV.005.009 Vakaimba rwiyo rutsva, vachiti: Ndimi makafanira kuti mutore bhuku nokuzarura zvisimbiso zvayo; nokuti makabayiwa, mukatengera Mwari neropa renyu vanhu vanobva kumarudzi ose, nendimi dzose, navanhu vose, nendudzi dzose;
5:10b.REV.005.010 mukavaitira Mwari wedu, kuti vave madzimambo navaPirisita, vabate vushe panyika.
5:11b.REV.005.011 Zvino ndakavona, ndikanzwa inzwi ravatumwa vazhinji vakanga vakakomberedza chigaro chovushe nezvisikwa zvipenyu, naVakuru kuwanda kwavo kwakanga kuri zvuru zvezvuru nezvuru zvamazana
5:12b.REV.005.012 vachiti nenzwi guru: Gwaiana rakabayiwa rakafanira kuti rivigirwe vushe, nefuma, nokuchenjera, nesimba, nokukudzwa, nokubwinya, nokurumbidzwa.
5:13b.REV.005.013 Ndikanzwa zvisikwa zvipenyu zvose zviri kudenga, napanyika, nezvose zviri mukati mazvo, zvichiti: Kurumbidzwa, nokukudzwa, nokubwinya, nesimba ngazvive kunaiye ugere pamusoro pechigaro chovushe, nokuGwaiana nokusi ngaperiperi.
5:14b.REV.005.014 Ipapo zvisikwa zvipenyu zvina zvakati: Ameni. Vakuru vanamakumi maviri navana vo vakawira pasi, vakanamata Iye unorarama nokusingaperi.
6
6:1b.REV.006.001 Zvino ndakavona Gwaiana richizarura chimwe chezvisimbiso zvinomwe, ndikanzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chichiti nenzwi romutinhiro: Vuya uvone.
6:2b.REV.006.002 Ndikatarira, ndikavona bhiza jena, naiye wakanga akaritasva, wakanga anovuta; akapiwa korona, akabuda achikunda, vuye kuti akunde.
6:3b.REV.006.003 Wakati azarura chisimbiso chechipiri, ndikanzwa chisikwa chipenyu chechipiri chichiti: Vuya uvone.
6:4b.REV.006.004 Ipapo rimwe bhiza rakabuda riri dzvuku; wakanga akaritasva akapiwa simba kuti abvise rugare panyika, kuti vavurayane; akapiwa munondo mukuru.
6:5b.REV.006.005 Wakati azarura chisimbiso chechitatu, ndikanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti: Vuya uvone. Ndikatarira, ndikavona bhiza dema; wakanga akaritasva wakanga anechiyereso muruvoko rwake.
6:6b.REV.006.006 Ndikanzwa inzwi pakati pezvisikwa zvipenyu zvina, richiti: Chiyero chezviyo chichatengwa nedenari+, nezviyero* zvitatu zvebhari nedenari+; usatadzira mafuta newaini.
6:7b.REV.006.007 Wakati azarura chisimbiso chechina, ndikanzwa inzwi rechisikwa chipenyu chechina richiti: Vuya uvone.
6:8b.REV.006.008 Ndikatarira, ndikavona bhiza rakachenuruka; wakanga akaritasva, zita rake Rufu; huye Hadhesi rakamutevera. Ivo vakapiwa simba pamusoro pechechina chenyika, kuti vavuraye nomunondo, nenzara, norufu, nezvikara zvenyika.
6:9b.REV.006.009 Wakati azarura chisimbiso chechishanu, ndikavona panyasi pearitari mweya yavanhu vakanga vavurawa nokuda kweshoko raMwari, nokupupura kwavo kwavakapupura;
6:10b.REV.006.010 vakadana nenzwi guru vachiti: Tenzi mutsvene wazvokwadi, mucharega kutonga vanogara panyika nokuvatsiva ropa redu kusvikira riniko?
6:11b.REV.006.011 Ipapo mumwe nomumwe wavo wakapiwa nguvo chena; vakavudzwa kuti vambozorora chinguva chiduku, kusvikira vamwe varanda pamwe chete navo nehama dzavo, dzaifanira kuvurawa saivo, varinganiswa vose.
6:12b.REV.006.012 Zvino ndakavona pakuzarura kwake chisimbiso chechitanhatu, tarira kwakanga kunokudengenyeka kwenyika kukuru, zuva rikasviba segudza remvere, mwedzi wose ukaita seropa;
6:13b.REV.006.013 nenyeredzi dzedenga dzikawira pasi, somuvonde unozuza maganga awo, kana uchizununguswa nomututu mukuru.
6:14b.REV.006.014 Denga rikabva sebhuku, kana ichipetwa; namakomo ose nezviwi zvose zvakabviswa panzvimbo dzazvo.
6:15b.REV.006.015 Namadzimambo enyika, navakuru, navatungamiriri vehondo, navafumi, navanesimba, navaranda vose, navakasununguka vose vakandovanda mumapako nomumambwe amakomo;
6:16b.REV.006.016 vakati kumakomo nokumabwe: Tiwirei, mutivige pameso aiye unogara pachigaro chovushe, napakutsamwa kweGwaiana;
6:17b.REV.006.017 nokuti zuva guru rokutsamwa kwaro rasvika; ndianiko unogona kumira?
7
7:1b.REV.007.001 Shure kwaizvozvo ndakavona vatumwa vana, vamire kumativi mana enyika, vakabata mhepo ina dzenyika, kuti mhepo irege kurira panyika, kana pagungwa, kana pamiti yose.
7:2b.REV.007.002 Ipapo ndakavona mumwe mutumwa achikwira achibva kumabvazuva, anechisimbiso chaMwari mupenyu; akadana nenzwi guru kuvatumwa vana, vaya vakanga vapiwa simba kuti vatadzire nyika negungwa,
7:3b.REV.007.003 achiti: Musatadzira nyika, kana gungwa, kana miti, kusvikira taisa chisimbiso pahuma dzavaranda vaMwari.
7:4b.REV.007.004 Ndikanzwa kuwanda kwavakaiswa chisimbiso; vanezvuru zvinezana namakumi mana nezvina, vakaiswa chisimbiso vachibva kumarudzi ose avana vaIsraeri.
7:5b.REV.007.005 Vorudzi rwaJudha vakaiswa chisimbiso vanezvuru zvinegumi nezviviri. Kurudzi rwaRubheni vanezvuru zvinegumi nezviviri Vorudzi rwaGadi vanezvuru zvinegumi nezviviri;
7:6b.REV.007.006 Vorudzi rwaAseri vanezvuru zvinegumi nezviviri; Vorudzi rwaNafutarimi vanezvuru zvinegumi nezviviri; Vorudzi rwaManase vanezvuru zvinegumi nezviviri;
7:7b.REV.007.007 Vorudzi rwaSimeoni vanezvuru zvinegumi nezviviri; Vorudzi rwaRevhi vanezvuru zvinegumi nezviviri Vorudzi rwaIsakari vanezvuru zvinegumi nezviviri;
7:8b.REV.007.008 Vorudzi rwaZabhuroni vanezvuru zvinegumi nezviviri; Vorudzi rwaJosefa vanezvuru zvine gumi nezviviri; Vorudzi rwaBenjamini vakaiswa chisimbiso vanezvuru zvinegumi nezviviri. Vazhinji-zhinji pamberi pechigaro chovushe
7:9b.REV.007.009 Shure kwaizvozvo ndakatarira, ndikavona vazhinji-zhinji vasingagoni kuverengwa nomunhu, vakabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi, vamire pamberi pechigaro chovushe, napamberi peGwaiana, vakapfeka nguvo chena, vakabata michindwe mumavoko avo;
7:10b.REV.007.010 vakadanidzira nenzwi guru, vachiti: Ruponeso ngaruve kunaMwari unogara pachigaro chovushe, nokuGwaiana.
7:11b.REV.007.011 Ipapo vatumwa vose vakamira, vakakomba chigaro chovushe, naVakuru, nezvisikwa zvipenyu zvina, vakawira pasi nezviso pamberi pechigaro chovushe, vakanamata Mwari,
7:12b.REV.007.012 vachiti: Ameni: Kurumbidzwa, nokubwinya, nokuchenjera, nokuvonga, nokukudzwa, novushe, nesimba, ngazvive kunaMwari nokusingaperi-peri. Ameni.
7:13b.REV.007.013 Ipapo mumwe waVakuru wakapindura, akati kwandiri: Ava vakapfeka nguvo chena ndivananiko? Vakabvepiko?
7:14b.REV.007.014 Ndikati kwaari; Ishe wangu, imi munoziva. Akati kwandiri: Ndivo vanobva kukutambudzika kukuru, vakasuka nguvo dzavo vakadzichenesa muropa reGwaiana.
7:15b.REV.007.015 Naizvozvo vari pamberi pechigaro chovushe chaMwari, vanomushumira masikati novusiku mutembere yake; iye, unogara pachigaro chovushe, uchavadzitira netabernakeri.
7:16b.REV.007.016 Havachazoziyi nenzara, havachazofi nenyota; havangapiswi nezuva kana nokumwe kupisa;
7:17b.REV.007.017 nokuti Gwaiana riri pakati pechigaro chovushe richavafudza, richavatungamirira kumatsime emvura yovupenyu; Mwari uchapisika misodzi yose kumeso avo.
8
8:1b.REV.008.001 Wakati azarura chisimbiso chichinomwe, kunyarara kukavapo kudenga kunenge sehafu yenguva.
8:2b.REV.008.002 Ipapo ndakavona vatumwa vanomwe vamire pamberi paMwari; vakapiwa hwamanda nomwe.
8:3b.REV.008.003 Zvino mumwe mutumwa wakavuya, akamira paaritari, anomudziyo wendarama wezvinonhuwira; akapiwa zvinonhuwira zvizhinji kuti azviise pamwe chete neminyengetero yavatsvene vose pamusoro pearitari yendarama, yakanga iri pamberi pechigaro chovushe.
8:4b.REV.008.004 Vutsi bwezvinonhuwira bwukakwira pamberi paMwari bwuchibva muruvoko rwomutumwa pamwe chete neminyengetero yavatsvene.
8:5b.REV.008.005 Mutumwa akatora mudziyo wezvinonhuwira, akauzadza nomoto wearitari, akaukandira panyika; ipapo kwakavuya kutinhira, namanzwi, nemheni, nokudengenyeka kwenyika.
8:6b.REV.008.006 Ipapo vatumwa vanomwe, vakanga vanehwamanda nomwe, vakazvigadzira kuti varidze.
8:7b.REV.008.007 Wokutanga wakaridza, kukavuya chimvuramabwe nomoto zvakavhenganiswa neropa, zvikakandirwa panyika; ipapo chetatu chenyika chikatsva, nechetatu chemiti chikatsva,novuswa, bwutema bwose bwakatswa.
8:8b.REV.008.008 Zvino mutumwa wechipiri wakaridza, chimwe chakaita segomo guru rinopfuta nomoto chikakandwa mugungwa; ipapo chetatu chegungwa chikashanduka ropa;
8:9b.REV.008.009 chetatu chezvisikwa zvakanga zviri mugungwa zvikafa, izvo, zvakanga zvinovupenyu; nechetatu chezvikepe chikaparadzwa.
8:10b.REV.008.010 Zvino mutumwa wechitatu wakaridza, nyeredzi huru, yakapfuta sezhenje, ikawa kudenga, ikawira pamusoro pechetatu chenzizi napamatsime emvura;
8:11b.REV.008.011 zita renyeredzi rakanga richinzi, Chinovava; ipapo chetatu chemvura chikavaviswa, vanhu vazhinji vakafa nemvura, nokuti yakanga yavaviswa.
8:12b.REV.008.012 Zvino mutumwa wechina wakaridza, chetatu chezuva chikarobwa, nechetatu chomwedzi, nechetatu chenyeredzi, kuti chetatu chazvo chisvibiswe, vuye kuti chetatu chamasikati chirege kuvhenekera, novusiku saizvozvo.
8:13b.REV.008.013 Ipapo ndakatarira, ndikanzwa mutumwa achibhururuka pakati pedenga, achiti nenzwi guru: Nhamo, nhamo, nhamo, kunavanogara panyika, nokuda kwamanzwi mamwe ehwamanda avatumwa vatatu vachazoridza.
9
9:1b.REV.009.001 Zvino mutumwa wechishanu wakaridza, ndikavona nyeredzi,, yakabva kudenga, yawira pasi; ikapiwa kiyi yegomba rakadzika-dzika.
9:2b.REV.009.002 Ikazarura gomba rakadzika-dzika, vutsi bwukakwira bwuchibva mugomba, sovutsi bwevira guru; zuva nedenga zvikasvibiswa novutsi bwegomba.
9:3b.REV.009.003 Muvutsi makabuda mhashu dzikavuya panyika, dzikapiwa simba sesimba rezvinyavada zvenyika.
9:4b.REV.009.004 Dzikavudzwa kuti dzirege kutadzira vuswa bwenyika, nechinhu chinyoro, kana miti yose, asi vanhu bedzi vasinechisimbiso chaMwari pahuma dzavo.
9:5b.REV.009.005 Hadzina kupiwa basa rokuvavuraya, asi kuti varwadziswe mwedzi mishanu; kurwadzisa kwadzo kwakanga kwakaita sokurwadzisa kwechinyavada, kana chichiruma munhu.
9:6b.REV.009.006 Namazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu, asi havangatongoruwani, vachavinga kufa, asi rufu ruchavatiza.
9:7b.REV.009.007 Pakuvonekwa kwadzo mhashu dzakanga dzakaita samabhiza akagadzirirwa kurwa; pamisoro yadzo pakanga pane zvimwe zvakafanana nekorona dzakafanana nendarama, zviso zvadzo zvakanga zvakaita sezviso zvavanhu.
9:8b.REV.009.008 Dzakanga dzinevhudzi rakaita sevhudzi ravakadzi, nameno adzo akanga akaita seeshumba.
9:9b.REV.009.009 Dzakanga dzinezvidzitiro zvechifuva zvakaita sezvamatare; nokutinhira kwamapapiro adzo kwakaita sokutinhira kwengoro dzamabhiza mazhinji anomhanyira kurwa.
9:10b.REV.009.010 Dzakanga dzinemiswe, yakaita seyezvinyavada, novumborera; pamiswe yadzo pakanga panesimba rokukuvadza vanhu mwedzi mishanu.
9:11b.REV.009.011 Dzakanga dzinamambo wadzo, ari mutumwa wegomba rakadzika dzika, zita rake nechiHebheru ndiAbhadhoni, nechi Giriki zita rake ndi Aporioni.
9:12b.REV.009.012 Nhamo imwe yapfuvura; tarira, nhamo dzimwe mbiri dzinotevera shure kwaizvozvi. Hwamanda yechitanhatu
9:13b.REV.009.013 Zvino mutumwa wechitanhatu wakaridza, ndikanzwa inzwi richibva panyanga ina dzearitari yendarama yakanga iri pamberi paMwari,
9:14b.REV.009.014 richiti kumutumwa wechitanhatu wakanga anehwamanda; Sunungura vatumwa vana vakasungwa parwizi rukuru runonzi Yufratesi.
9:15b.REV.009.015 Ipapo vatumwa vana vakasunungurwa, vakanga vakagadzirirwa nguva, nezuva, nomwedzi, negore, kuti vavuraye chetatu chavanhu.
9:16b.REV.009.016 Kuwanda kwehondo dzavatasvi vamabhiza kwakanga kuri zvuru zvezvuru zvamazana maviri; ndikanzwa kuverengwa kwavo.
9:17b.REV.009.017 Saizvozvo vo ndakavona mabhiza pakuratidzwa kwangu, navakanga vakaatasva, vanezvidzitiro zvechifuva zvakaita sezvomoto, nezvehiasinto, nezvesurferi; nemisoro yamabhiza yakanga yakaita semisoro yeshumba; nomumiromo yawo makabuda moto, novutsi nesurferi.
9:18b.REV.009.018 Chetatu chavanhu chakavurawa namadambudziko awa matatu, anoti, moto novutsi nesurferi, zvakabuda mumiromo yawo.
9:19b.REV.009.019 Nokuti simba ramabhiza riri mumiromo yawo, nomumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakaita senyoka, inemisoro; anokuvadza nayo.
9:20b.REV.009.020 Vamwe vanhu vasina kuvurawa namadambudziko awa, havana kutendevuka pamabasa amavoko avo, kuti varege kunamata mweya yakaipa, nezvifananidzo zvendarama, nezvesirivheri, nezvendarira, nezvamabwe, nezvemiti, zvisingagoni kuvona, kana kunzwa, kana kufamba;
9:21b.REV.009.021 havana kutendevuka vo pakuvuraya kwavo, kana pakurowa kwavo, kana pavupombwe bwavo, kana pakuba kwavo.
10
10:1b.REV.010.001 Zvino ndakavona mumwe mutumwa unesimba achiburuka kudenga, akapfeka gore; murarabungu wakanga uri pamusoro wake, chiso chake chakanga chakaita sezuva, netsoka dzake sembiru dzomoto.
10:2b.REV.010.002 Wakanga akabata bhuku duku yakazaruka muruvoko rwake, akaisa rutsoka rwake rworudyi pamusoro pegungwa, norworuboswe pamusoro penyika;
10:3b.REV.010.003 akadanidzira nenzwi guru seshumba inorira; iye wakati adanidzira, kutinhira kunomwe kukabudisa manzwi ako.
10:4b.REV.010.004 Zvino kutinhira kunomwe kwakati kwareva, ndakanga ndonyora, ndikanzwa inzwi richibva kudenga, richiti kwandiri: Zarira zvarebwa nokutinhira kunomwe, usazvinyora.
10:5b.REV.010.005 Ipapo mutumwa uya wandakavona amire pamusoro pegungwa napamusoro penyika, wakasimudzira ruvoko rwake rworudyi kudenga,
10:6b.REV.010.006 akapika naiye uri mupenyu nokusingaperi-peri, wakasika denga nezvirimo, nenyika nezvirimo, negungwa nezvirimo, kuti nguva haingazovipo.
10:7b.REV.010.007 Asi namazuva enzwi romutumwa wechinomwe, kana vodo-kuridza, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa, sezvaakaparidzira varanda vake, ivo vaporofita.
10:8b.REV.010.008 Ipapo inzwi riya randakanzwa richibva kudenga, rakataura zve kwandiri, richiti: Enda utore bhuku yakazaruka iri muruvoko rwomutumwa, umire pamusoro pegungwa napamusoro penyika.
10:9b.REV.010.009 Ndikaenda kumutumwa, ndikati kwaari: Ndipei bhuku duku. Iye akati kwandiri: Tora, uidye; ichavavisa mudumbu mako, asi mumuromo mako ichanaka sovuchi.
10:10b.REV.010.010 Ipapo ndakatora bhuku duku muruvoko rwomutumwa, ndikaidya; ikanaka mumuromo mangu sovuchi; asi ndakati ndaidya, mudumbu mangu makavaviswa.
10:11b.REV.010.011 Vakati kwandiri: Unofanira kuporofita zve pamusoro pavanhu vazhinji, nendudzi, nendimi, namadzimambo.
11
11:1b.REV.011.001 Zvino ndakapiwa rutsanga rwakaita somudonzvo; mutumwa akati: Simuka, uyere tembere yaMwari, nearitari, navanonamata mairi.
11:2b.REV.011.002 Asi siya ruvazhe ruri kunze kwetembere, usaruyera; nokuti rwakapiwa vahedheni; vachatsika guta dzvene mwedzi inamakumi mana nemiviri.
11:3b.REV.011.003 Ndichapa zvapupu zvangu zviviri simba kuti zviporofite, zvakapfeka masaga, mazuva anechuru chinamazana maviri namakumi matanhatu.
11:4b.REV.011.004 Ava ndiyo miorivhi miviri ne zvigadziko zvemwenje zviviri zvimire pamberi paMwari wenyika.
11:5b.REV.011.005 Kana kunomunhu unoda kuvakuvadza, moto uchabuda mumiromo yavo uchiparadza vavengi vavo; kana kunomunhu unoda kuvakuvadza, unofanira kuvurawa saizvozvo.
11:6b.REV.011.006 Vanesimba rokuzarira denga, kuti mvura irege kunaya namazuva okuporofita kwavo; vanesimba pamusoro pemvura kuti vaishandure ive ropa, nokurova nyika namadambudziko ose nenguva dzose dzavanoda.
11:7b.REV.011.007 Kana vapedza kupupura kwavo, chikara chinokwira chichibva mugomba rakadzika dzika chicharwa navo, chichivakunda nokuvavuraya.
11:8b.REV.011.008 Mitumbu yavo icharashwa panzira dzomuguta guru, rinonzi, nezita rokufananidzira, Sodhoma neIjipiti, pakaroverwa vo Ishe wavo pamuchinjikwa.
11:9b.REV.011.009 Vanobva kuvanhu, namarudzi, nendimi, nendudzi, vachavona mitumbi yavo mazuva matatu nehafu, vasingatenderi kuti ivigwe mubwiro.
11:10b.REV.011.010 Navanogara panyika vachafara nokupembera pamusoro pavo, vachitumirana zvipo, nokuti vaporofita ava vaviri vakatambudza avo vanogara panyika.
11:11b.REV.011.011 Zvino mazuva matatu nehafu akati apfuvura, mweya wovupenyu, wakabva kunaMwari, ukapinda mukati mavo, vakamira netsoka dzavo, kutya kukuru kukawira vose vakavavona.
11:12b.REV.011.012 Ipapo vakanzwa inzwi guru, rinobva kudenga, richiti kwavari: Kwirai pano. Vakakwira kudenga negore, vavengi vavo vakavavona.
11:13b.REV.011.013 Zvino nenguva iyo kudengenyeka kwenyika kwakavapo, chegumi cheguta chikaputsikira pasi, navanhu vanezvuru zvinomwe vakavurawa nokudengenyeka; vakasara vakatya, vakarumbidza Mwari wokudenga.
11:14b.REV.011.014 Nhamo yechipiri yapfuvura; tarira, nhamo yechitatu inokurumidzakusvika. Hwamanda yechinomwe
11:15b.REV.011.015 Zvino mutumwa wechinomwe wakaridza; manzwi makuru akavapo kudenga, achiti: Vushe bwenyika bwava bwaShe wedu, naKristu wake; uchabwubata nokusingaperi-peri.
11:16b.REV.011.016 Ipapo Vakuru vanamakumi maviri navana vanogara pazvigaro zvavo zvovushe pamberi paMwari, vakawira pasi nezviso zvavo vakanamata Mwari.
11:17b.REV.011.017 vachiti: Tinokuvongai imi, Ishe Mwari wamasimba ose, uripo, wakanga aripo, nouchazovapo; nokuti makatora simba renyu guru, mukabata vushe.
11:18b.REV.011.018 Marudzi akatsamwa, nokutsamwa kwenyu kwakasvika, nenguva yavakafa, kuti vatongwe, vuye kuti mupe varanda venyu mubairo, ivo vaporofita, navatsvene, navanotya zita renyu, vaduku navakuru; vuye kuti muparadze avo vanoparadza nyika.
11:19b.REV.011.019 Ipapo tembere yaMwari iri kudenga yakazarurwa; areka yesungano ikavonekwa mutembere yake; ipapo kwakavapo mheni, namanzwi, nokutinhira, nokudengenyeka kwenyika, nechimvuramabwe chikuru.
12
12:1b.REV.012.001 Zvino kudenga kwakavonekwa chiratidzo chikuru ichi: Mukadzi, wakanga akapfeka zuva, mwedzi uri pasi petsoka dzake, napamusoro wake korona inenyeredzi dzinegumi nembiri;
12:2b.REV.012.002 iye wakanga anemimba, akadanidzira pakupona kwake, achitambudzika pakuzvara.
12:3b.REV.012.003 Ipapo kudenga kwakavonekwa chimwe chiratidzo ichi: Tarira, shato huru tsvuku inemisoro minomwe, nenyanga dzinegumi, napamisoro yayo korona nomwe.
12:4b.REV.012.004 Rumhinda rwayo rwakakweva chetatu chenyeredzi dzokudenga, ndokudzikandira pasi panyika; shato iyo ikamira pamberi pomukadzi wakanga ozvara, kuti iparadze mwana wake kana azvara.
12:5b.REV.012.005 Akazvara mwana womukomana, unozofudza marudzi ose netsimbo yedare; mwana wake ndokutorwa kunaMwari, nokuchigaro chake chovushe.
12:6b.REV.012.006 Mukadzi akatizira kurenje, paakagadzirirwa nzvimbo naMwari, kuti vamuchengetepo mazuva anechuru chinamazana maviri namakumi matanhatu.
12:7b.REV.012.007 Zvino kurwa kwakavapo kudenga; Mikaeri navatumwa vake vakarwa neshato, shato ikarwa inavatumwa vayo;
12:8b.REV.012.008 vakasakunda, nenzvimbo yavo hainakuzowanikwa kudenga.
12:9b.REV.012.009 Zvino shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Dhiyabhorosi, naSatani, munyengeri wenyika yose; yakakandirwa panyika, navatumwa vayo vakakandirwa pasi pamwe chete nayo.
12:10b.REV.012.010 Ndikanzwa inzwi guru kudenga, richiti: Zvino ruponeso rwasvika, nesimba, novushe bwaMwari wedu, novumambo bwaKristu wake; nokuti mupomeri wehama dzedu wakakandirwa pasi, wakavapomera pamberi paMwari we du masikati novusiku.
12:11b.REV.012.011 ivo vakamukunda neropa reGwaiana, vuye neshoko rokupupura kwavo; havana kuda vupenyu bwavo kusvikira parufu.
12:12b.REV.012.012 Saka farai kudenga nemi munogarako. Munenhamo imi nyika navanogara panyika negungwa, nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchinenguva duku.
12:13b.REV.012.013 Shato yakati yavona kuti yakandirwa pasi panyika, ikatambudza mukadzi wakazvara mwana womukomana.
12:14b.REV.012.014 Ipapo mukadzi akapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuti abururukire kurenje kunzvimbo yake, kwaanochengeterwa nguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, kwaasingavonekwi nenyoka.
12:15b.REV.012.015 Ipapo nyoka yakabudisa mvura mumuromo mayo, yakaita sorwizi shure kwomukadzi kuti akukurwe norwizi.
12:16b.REV.012.016 Ipapo nyika yakabatsira mukadzi, nyika ikashamisa muromo wayo, ikamedza rwizi rwakabudiswa neshato mumuromo mayo.
12:17b.REV.012.017 Ikamira pajecha regungwa.
13
13:1b.REV.013.001 zvino ndakavona chikara chichikwira chichibva mugungwa, chinenyanga dzinegumi nemisoro minomwe; napamusoro penyanga dzacho pakanga panekorona dzinegumi, napamusoro pemisoro yacho mazita okumhura Mwari.
13:2b.REV.013.002 Chikara ichi chandakavona, chakanga chakaita sengwe; netsoka dzacho sedzebere, nomuromo wacho somuromo weshumba; shato ikachipa simba rayo, nechigaro chayo chovushe, namasimba makuru.
13:3b.REV.013.003 Mumwe musoro wacho wakanga wakaita sowakakuvadzwa kusvikira parufu; asi vanga, raifanira kuvuraya, rakanga rapora; nyika yose ikashamiswa ikatevera chikara.
13:4b.REV.013.004 Vakanamata shato, nokuti yakapa chikara masimba; vakanamata chikara, vachiti: Ndianiko wakafanana nechikara? Ndianiko unogona kurwa nacho?
13:5b.REV.013.005 Ipapo chakapiwa muromo unotaura mashoko makuru nezvokumhura; chakapiwa simba kuti chizviite mwedzi inamakumi mana nemiviri.
13:6b.REV.013.006 Chikashamisa muromo wacho kuti chimhure Mwari, nokumhura zita rake netabernakeri yake naivo vanogara kudenga.
13:7b.REV.013.007 Chikapiwa masimba vo kuti chirwe navatsvene, nokuvakunda; chikapiwa masimba vo pamusoro pamarudzi ose, navanhu vose, nendimi dzose, nendudzi dzose.
13:8b.REV.013.008 Vose vanogara panyika vachachinamata, ivo vasinakunyorwa mazita avo mubhuku yeGwaiana rakabayiwa kubva pakusikwa kwenyika.
13:9b.REV.013.009 Unenzeve, ngaanzwe.
13:10b.REV.013.010 Kana munhu achitapa, uchatapwa, kana munhu achivuraya nomunondo unofanira kuvurawa nomunondo. Ndipo pano kutsungirira nokutenda kwavatsvene. Chikara chakabva panyika
13:11b.REV.013.011 Zvino ndakavona chimwe chikara chichikwira, chichibva panyika; chakanga chinenyanga mbiri segwaiana,, chikataura seshato.
13:12b.REV.013.012 Chinobata namasimba ose echikara chokutanga pamberi pacho. Chinomanikidza nyika navagere mukati mayo kuti vanamate chikara chokutanga, chiya chinevanga raifanira kuchivuraya.
13:13b.REV.013.013 Chinoita zviratidzo zvikuru, zvokuti chinoburusira moto unobva kudenga panyika pamberi pavanhu;
13:14b.REV.013.014 chinonyengera vanogara panyika nezviratidzo zvachakapiwa kuti chizviite pamberi pechikara; chichiti kunavanogara panyika kuti vaitire chikara mufananaidzo, chiya chakanga chinevanga romunondo chakararama.
13:15b.REV.013.015 Chakapiwa masimba okupa mufananidzo wechikara mweya, kuti mufananidzo wechikara utaure, chiraire kuti vose vasinganamati mufananidzo wechikara vavurawe.
13:16b.REV.013.016 Chinomanikidza vose, vaduku navakuru, vafumi navarombo, vakasununguka navaranda, kuti vapiwe chiratidzo muruvoko rwavo rworudyi, kana pahuma yavo;
13:17b.REV.013.017 kuti munhu arege kuvapo unogona kutenga nokutengesa, asi iye unechiratidzo, iro zita rechikara kana chiverengo chezita racho.
13:18b.REV.013.018 Ndipo panokuchenjera. Unoziva, ngaaverenge chiverengo chechikara; nokuti chiverengo ndechomunhu; chiverengo chacho ndimazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu.
14
14:1b.REV.014.001 Zvino ndakatarira, ndikavona Gwaiana rimire pagomo reZiyoni, rinavamwe vanezvuru zvinezana namakumi mana navana, vanezita raro, nezita raBaba varo, rakanyorwa pahuma dzavo.
14:2b.REV.014.002 Ipapo ndakanzwa inzwi richibva kudenga, senzwi remvura zhinji, vuye senzwi rokutinhira kukuru; nenzwi randakanzwa ranga rakaita seravaridzi vorudimbwa vachiridza vudimbwa bwavo.
14:3b.REV.014.003 Vakaimba rwiyo rutsva pamberi pechigaro chovushe, napamberi pezvisikwa zvipenyu zvina, naVakuru; hakunomunhu wakagona kudzidza rwiyo urwu, asi vaya vanezvuru zvinezana namakumi mana navana, vakadzikinurwa vachibva panyika.
14:4b.REV.014.004 Ndivo vasina kusvibiswa navakadzi; nokuti vakanaka semhandara. Ndivo vanotevera Gwaiana kwose kwarinoenda. Ndivo vakadzikinurwa pakati pavanhu, kuti vave zvibereko zvokutanga kunaMwari nokuGwaiana.
14:5b.REV.014.005 Mumuromo mavo hamuna kuvonekwa nhema, havana chavangapomerwa pamberi pechigaro chaMwari. Vatumwa vanozivisa kutonga kwaMwari
14:6b.REV.014.006 Zvino ndakavona mumwe mutumwa achibhururuka pakati pedenga, aneEvhangeri isingaperi, kuti aiparidzire vanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose, nendimi dzose, navanhu vose.
14:7b.REV.014.007 Akati nenzwi guru: Ityai Mwari, mumurumbidzei; nokuti nguva yake yokutonga yasvika; namatai iye, wakasika denga, nenyika, negungwa, namatsime emvura.
14:8b.REV.014.008 ipapo mumwe mutumwa wakatevera, achiti: Rawa, Rawa, Bhabhironi, guta guru, rakanwisa marudzi ose waini yokutsamwa kwovupombwe bwaro.
14:9b.REV.014.009 ipapo mumwe mutumwa wechitatu wakatevera, akati nenzwi guru: Kana munhu akanamata chikara nomufananidzo wacho, nokugamuchira chiratidzo pahuma yake kana paruvoko rwake.
14:10b.REV.014.010 naiye uchanwa vo waini yokutsamwa kwaMwari, yakadirwa isina kuvhenganiswa mumukombe wehasha dzake; uchatambudzwa mumoto nesurferi pamberi pavatumwa vatsvene, napamberi peGwaiana.
14:11b.REV.014.011 Vutsi bwokutambudzika kwavo bwunokwira nokusingaperi-peri; havanezororo masikati novusiku, ivo vanonamata chikara nomufananidzo wacho nounogamuchira chiratidzo chezita racho.
14:12b.REV.014.012 Ndipo panokutsungirira kwavatsvene, ndivo vanochengeta mirairo yaMwari nokutenda kwaJesu.
14:13b.REV.014.013 Ipapo ndakanzwa inzwi richibva kudenga, richiti: kwandiri Nyora, uti: Vakafa, vanofira munaShe, vakaropafadzwa kubva zvino. Hongo, ndizvo zvinotaura Mweya, kuti vazorore pakubata kwavo kukuru, nokuti mabasa avo anovatevera.
14:14b.REV.014.014 Ipapo ndakatarira, ndikavona gore jena, nomumwe wakaita soMwanakomana womunhu agere pamusoro paro, anekorona yendarama pamusoro wake naparuvoko rwake anejeko rinopinza.
14:15b.REV.014.015 Zvino mumwe mutumwa wakabuda mutembere, akadanidzira nenzwi guru kunaiye wakanga agere pamusoro pegore, achiti: Tumai jeko renyu mucheke; nokuti nguva yokucheka yenyu yasvika, nokuti kucheka kwenyika kwaibva.
14:16b.REV.014.016 Ipapo wakanga agere pamusoro pegore akakandira jeko rake panyika, nyika ikachekwa.
14:17b.REV.014.017 Zvino mumwe mutumwa wakabuda mutembere iri kudenga, naiye vo anejeko rinopinza.
14:18b.REV.014.018 Nomumwe mutumwa wakanga anesimba pamusoro pomoto, akabuda paaritari, akadanidzira nenzwi guru kunaiye wakanga anejeko rinopinza, achiti: Tumai jeko renyu rinopinza, mucheke masumbu omuzambiringa wenyika, nokuti mazambiringa ayo aibva.
14:19b.REV.014.019 Ipapo mutumwa wakakandira jeko rake panyika, akacheka muzambiringa wenyika, akazvikandira muchisviniro chikuru chokutsamwa kwaMwari.
14:20b.REV.014.020 Chisvinuro chakatsikwa kunze kweguta, ropa rikabuda muchisvinuro rikasvika pamatomu amabhiza, rikaenda mastadia anechuru chinamazana matanhatu.*
15
15:1b.REV.015.001 Zvino ndakavona chimwe chiratidzo kudenga, chikuru chinoshamisa, ichi: Vatumwa vanomwe vanamadambudziko manomwe okupedzisira, nokuti kutsamwa kwaMwari kwakapera nawo.
15:2b.REV.015.002 Ndikavona chakaita segungwa rinovonekera rakavhenganiswa nomoto, naivo vakavuya vakunda chikara nomufananidzo wacho, nechiratidzo chacho nechiverengo chezita racho, vamire pamusoro pegungwa rinovonekera, vanovudimbwa bwaMwari.
15:3b.REV.015.003 Vakaimba rwiyo rwaMosesi, muranda waMwari, norwiyo rweGwaiana, vachiti: Ishe, Mwari wamasimba ose, mabasa enyu akakura, anoshamisa; Mambo wamarudzi, nzira dzenyu dzakarurama, ndedzazvokwadi, Imwi Ishe wavatsvene.
15:4b.REV.015.004 Ndianiko ungarega kutya nokukudza zita renyu, Ishe? Nokuti imi moga muri mutsvene; nokuti marudzi ose achavuya, achinamata pamberi penyu; nokuti kururama kwenyu kwakaratidzwa.
15:5b.REV.015.005 Shure kwaizvozvo ndakatarira ndikavona tembere yetabernakeri yovuchapupu yokudenga yakazarurwa;
15:6b.REV.015.006 mutembere mukabuda vatumwa vanomwe vanamadambudziko manomwe, vakafuka mucheka wakachena unopenyu, vakasungwa pazvifuva zvavo namabhanire endarama.
15:7b.REV.015.007 Ipapo chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa vatumwa vanomwe ndiro nomwe dzendarama, dzizere nokutsamwa kwaMwari, iye mupenyu nokusingaperiperi.
15:8b.REV.015.008 Tembere ikazara novutsi bwunobva pakubwinya kwaMwari napasimba rake; kukasava nomunhu wakagona kupinda patembere, kusvikira madambudziko manomwe avatumwa vanomwe apera.
16
16:1b.REV.016.001 Zvino ndakanzwa inzwi guru richibva mutembere, richiti kuvatumwa vanomwe: Endai, mundodurura panyika ndiro nomwe dzokutsamwa dzaMwari.
16:2b.REV.016.002 Wokutanga akaenda, akadurura ndiro yake panyika; ronda rakaipa rinorwadza rikavapo pavanhu vakanga vanechiratidzo chechikara, vakanamata mufananidzo wacho.
16:3b.REV.016.003 Wechipiri akadurura ndiro yake pagungwa; rikashanduka ropa seromunhu wakafa; nezvipenyu zvose zvakanga zviri mugungwa zvikafa.
16:4b.REV.016.004 Wechitatu akadurura ndiro yake panzizi nomumatsime emvura, ikashanduka ropa.
16:5b.REV.016.005 Ndikanzwa mutumwa wemvura achiti: makarurama imwi Ishe, muripo makanga muripo nouchazovapo nokuti makatonga saizvozvo.
16:6b.REV.016.006 Nokuti vakadurura ropa ravatsvene neravaporofita, mukavapa ropa, kuti vanwe; vakafanirwa naizvozvo.
16:7b.REV.016.007 Ndikanzwa mumwe ari muaritari achiti: Hongo, Ishe, Mwari wamasimba ose, kutonga kwenyu ndokwazvokwadi kwakarurama.
16:8b.REV.016.008 Zvino wechina akadurura ndiro yake pamusoro pezuva, rikapiwa simba kuti ripise vanhu nomoto.
16:9b.REV.016.009 Vanhu vakapiswa nokupisa kukuru, vakamhura zita raMwari, unesimba pamsoro pamambudziko awa; havana kutendevuka, kuti vamukudze.
16:10b.REV.016.010 Wechishanu akadurura ndiro yake pamusoro pechigaro chovushe chechikara; vushe bwacho bwukasvibiswa, vakatsenga marimi avo nokurwadzwa;
16:11b.REV.016.011 vakamhura Mwari wokudenga pamsoro pokurwadzwa kwavo namaronda avo; asi havana kutendevuka pamabasa avo.
16:12b.REV.016.012 Zvino wechitanhatu akadurura ndiro yake pamsoro porwizi rukuru, runonzi Yufratesi; mvura yarwo ikapwa, kuti nzira dzamadzimambo anobva kumabvazuva dzigadzirwe.
16:13b.REV.016.013 Ipapo ndakavona mweya yetsvina mitatu yakaita samatafi ichibva mumuromo weshato nomumuromo wechikara, nomumuromo womuporofita wenhema;
16:14b.REV.016.014 Nokuti ndiyo mweya yakaipa inoita zviratidzo inoenda kumadzimambo enyika yose, kuvakokera kukurwa pazuva iro guru raMwari wamasimba ose.
16:15b.REV.016.015 Tarira ndinovuya sembavha. Wakaropafadzwa unorinda, unochengeta nguvo dzake kuti arege kufamba asina kupfeka, vavone nyadzi dzake.
16:16b.REV.016.016 Akavavunganidzira panzvimbo inonzi Hamagedhoni nechiHebheru.
16:17b.REV.016.017 Zvino wechinomwe akadurura ndiro yake mudenga, inzwi guru rikabuda mutembere yokudenga muchigaro chovushe, richiti: Zvapera!
16:18b.REV.016.018 Ipapo mheni yakavapo, namanzwi nokutinhira; nokudengenyika kwenyika kukuru kwakavapo; kudengenyika kwenyika kwakakura kura kukadai hakuna kumbovapo kubva pakusikwa kwevanhu panyika.
16:19b.REV.016.019 Guta guru rikakamurwa rikaita zvikamu zvitatu, maguta amarudzi akaputsika; Bhabhironi guta guru rikarangarirwa pamberi paMwari, kuti ripiwe mukombe wewaini yokutsamwa kwehasha dzake.
16:20b.REV.016.020 Zviwi zvose zvikatiza, namakomo haana kuwanikwa.
16:21b.REV.016.021 Chimvuramabwe chikuru, chinobva kudenga, chikawira pamusoro pavanhu, kurema kwebwe rimwe nerimwe kukaita setarenta*; vanhu vakamhura Mwari nokuda kwedamabudziko rechimvuramambwe, nokuti dambudziko racho raiva guru kwazvo.
17
17:1b.REV.017.001 Zvino mumwe wavatumwa vanomwe, vakanga vanendiro nomwe, akavuya akataura neni, achiti: Vuya pano ndichakuratidza kutongwa kwemhombwe huru, inogara pamsoro pemvura zhinji;
17:2b.REV.017.002 madzimambo enyika akaita vupomwe nayo, navanogara panyika vakabatwa newaini yovupobwe bwayo.
17:3b.REV.017.003 Ipapo wakandiisa kurenje mumweya, ndikavona mukadzi akatasva chikara chitsvuku, chizere namazita okumhura Mwari, chinemisoro minomwe nenyanga gumi.
17:4b.REV.017.004 Mukadzi wakanga akapfeka nguvo tsvuku neshava, akashonga ndarama namabwe anokosha, namaparera, nomuruvoko rwake makanga munomudziyo wendarama uzere nezvinonyangadza netsvina yovupombwe bwake.
17:5b.REV.017.005 Pahuma yake pakanga pakanyorwa zita rakavanzika iri: BABHIRONI, GUTA GURU, MAI VEMHOMBWE NAVEZVINONYANGADZA ZVENYIKA.
17:6b.REV.017.006 Ipapo ndakavona mukadzi akabatwa neropa ravatsvene, vuye neropa rezvapupu zvaJesu; ndikati ndichimuvona ndikashamiswa nokushamiswa kukuru.
17:7b.REV.017.007 Ipapo mutumwa akati kwandiri: Washamiswa neiko? Ndichakuvudza zvakavanzika zvomukadzi, nezvechikara chinomutakura chinemisoro minomwe nenyanga dzinegumi.
17:8b.REV.017.008 Chikara chawavona, chaiva po, hachichipo; chodokukwira chichibva mugomba rakadzikadzika kundoparadzwa; vanogara panyika vasina kunyorwa mazita avo mubhuku yovupenyu kubva pakusikwa kwenyika, vachashamiswa kana vachivona chikara, kuti chaivapo, hachichipo, vuye chichazovapo.
17:9b.REV.017.009 Ndipo panokufunga kunenjere. Misoro minomwe ndiwo makomo manomwe, anogarwa nomukadzi.
17:10b.REV.017.010 Ndiwo madzimambo manomwe; vashanu vawa, mumwe uripo, mumwe ugere kusvika; kana achisvika, unofanira kugara chinguva chiduku.
17:11b.REV.017.011 Chikara chaivapo, chisisipo, ndiye worusere, mumwe wavanomwe, unondoparadzwa.
17:12b.REV.017.012 Nyanga dzinegumi dzawavona, ndiwo madzimambo anegumi, achigere kupiwa vushe asi uchapiwa simba samadzimambo pamwe chete nechikara nguva imwe.
17:13b.REV.017.013 Ivo vane ndangariro imwe, vanopa chikara simba ravo nevushe bwavo.
17:14b.REV.017.014 Ava vacharwa negwaiana, gwaiana richavakunda; nokuti iro ndiro Ishe wamadziShe, namambo wamadzimambo; naivo vanaro ndivanhu vakadanwa vatsvene vakatendeka.
17:15b.REV.017.015 Zvino akati kwandiri: mvura yawavona inogarwa nemhobwe,ndivo vanhu, navazhinji namarudzi, nendimi.
17:16b.REV.017.016 Nyanga dzinegumi dzawavona nechikara ndivo vachavenga mhobwe, vachaiparadza nokuitorera nguvo; vachadya nyama yayo, nokuipisa nomoto.
17:17b.REV.017.017 Nokuti Mwari wakaisa mumoyo yavo kuti vaite kurangarira kwake, vave nokurangarira kumwe, vape chikara vushe bwavo, kusvikira mashoko aMwari aitika.
17:18b.REV.017.018 Mukadzi wawavona ndiro guta guru, rinobata vushe bwamadzimambo enyika.
18
18:1b.REV.018.001 Shure kwaizvozvi ndakavona mumwe mutumwa achiburuka kudenga, anesimba guru; nyika ikavhenekerwa nokubwinya kwake.
18:2b.REV.018.002 Akadanidzira nenzwi guru, achiti: Rawa, Rawa, Bhabhironi, guru, yava nzvimbo inogara mweya yakaipa, nenhare yemweya yose yetsvina, nhare yeshiri dzose dzinetsvina dzinovengwa.
18:3b.REV.018.003 Nokuti marudzi ose akanwa waini yokutsamwa kwovupombwe bwaro, namadzimambo enyika akaita vupombwe naro, navatengesi venyika vakafuma nokuwanda kwefuma yaro.
18:4b.REV.018.004 Zvino ndakanzwa rimwe inzwi rinobva kudenga, richiti: Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kuwadzana naro pazvivi zvaro, mugorega kupiwa madambudziko aro.
18:5b.REV.018.005 Nokuti zvivi zvaro zvasvika kudenga, Mwari warangarira zvisakarurama zvaro.
18:6b.REV.018.006 Muritsivei parakakutsivai napo, muchiriitira kaviri parakabata napo; mumudziyo iwoyo marakadira iro, muridire kaviri.
18:7b.REV.018.007 Parakazvikudza nokuzvifadza napo, murirwadzise nokurichemedza; nokuti rinoti mumoyo maro: Ndinogara pachigaro chovushe ndiri vahosi, handizi chirikadzi, handingatongovoni kuchema.
18:8b.REV.018.008 Saka madambudziko aro achasvika nezuva rimwe, rufu, nokuchema, nenzara; richapiswa kwazvo nomoto, nokuti Ishe Mwari unoritonga, unesimba.
18:9b.REV.018.009 Madzimambo enyika, akaita vupombwe nokuzvifadza naro, acharira nokuchema pamusoro paro, kana achivona vutsi bwokupiswa kwaro;
18:10b.REV.018.010 ivo vamire kure nokutya kurwadzwa kwaro, vachiti: Nhamo, nhamo, newe, guta guru, iwe Bhabhironi, guta rakasimba! Nokuti kutongwa kwako kwakasvika nenguva imwe.
18:11b.REV.018.011 Vatengesi venyika vacharira nokuchema pamusoro paro, nokuti hakuchinomunhu unotenga nhumbi dzavo;
18:12b.REV.018.012 nhumbi dzendarama, nesirvheri, nedzamabwe anokosha, nedzamaparera nedzomucheka wakanaka, nedzemicheka mitsvuku, nedzesiriki, nedzemicheka mishava, namarudzi ose emidziyo yenyanga dzenzou, namarudzi ose emidziyo yamatanda anokosha, nedzesafuri, nedzedare, nedzamabwe machena;
18:13b.REV.018.013 nekinamoni, nomuamumoni, nezvinonhuwira, namafuta okuzora, namafuta omuribanoni, newaini, namafuta omuorivhi, novupfu bwakatsetseka, nezviyo, nemombe, namakwai, nenhumbi dzamabiza, nedzengoro, nedzavatapwa, nedzemweya yavanhu.
18:14b.REV.018.014 Michero yaidikanwa nomoyo wako, yakabva kwauri, nezvinhu zvose zvakanaka nezvinopenya, zvakabva kwauri, vanhu havangatongozviwani zve.
18:15b.REV.018.015 Vatengesi vezvinhu izvi, vakanga vafumiswa naro, vachamira kure nokutya kurwadzwa kwaro, vachirira nokuchema,
18:16b.REV.018.016 vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru rakanga rakapfeka mucheka wakanaka, mutsvuku nomushava, rakanga rakashonga ndarama, namabwe anokosha, namaparera!
18:17b.REV.018.017 Nokuti nenguva imwe fuma huru yakadai yaparadzwa. Zvino vafambisi vose vezvikepe, navose vanofamba nezvikepe papi napapi, navafambi navabati pagungwa, vakamira kure,
18:18b.REV.018.018 vakadanidzira va chivona vutsi bwokutsva kwaro, vachiti: Guta rakafanana neguta iri guru nderipiko?
18:19b.REV.018.019 Ipapo vakakandira guruva pamisoro yavo, vakadanidzira vachirira nokuchema, vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru, kwaifumiswa nezvinokosha zvaro vose vaiva nezvikepe zvavo pagungwa; nokuti rakaparadzwa nenguva imwe.
18:20b.REV.018.020 Farai pamusoro paro iwe denga, nemi vatsvene navaapostora, navaporofita, nokuti Mwari wakaritongera kutonga kwenyu.
18:21b.REV.018.021 Zvino mumwe mutumwa unesimba akasimudza ibwe rakaita seguyo guru, akarikandira mugungwa, achiti: Saizvozvo guta guru, Bhabhironi, richaputsirwa pasi nesimba, rikasatongowanikwazve.
18:22b.REV.018.022 Nenzwi ravanoridza vudimbwa, neravanoimba, neravanoridza nyere, neravanoridza hwamanda, harichatongonzwiki mauri, nemhizha yebasa ripi neripi haichatongowanikwi mauri, nenzwi reguyo harichatongonzwiki mauri;
18:23b.REV.018.023 chiedza chomwenje hachichatongovhenekeri mauri, nenzwi rechikomba kana romwenga harichatongonzwiki mauri; nokuti vatengesi vako vaiva vakuru venyika; nokuti novuroyi bwako marudzi ose akanyengerwa.
18:24b.REV.018.024 Mukati maro mukawanikwa ropa ravaporofita neravatsvene, neravose vakavurawa panyika.
19
19:1b.REV.019.001 Shure kwaizvozvo ndakanzwa inzwi guru seravazhinji-zhinji kudenga, richiti: Hareruya! Ruponeso, nokubwinya, nokukudzwa nesimba kunaIshe Mwari wedu;
19:2b.REV.019.002 nokuti kutonga kwake ndokwazvokwadi kwakarurama; nokuti wakatonga mhombwe huru yakavodza nyika novupombwe bwayo, akatsiva ropa ravaranda vake paruvoko rwayo.
19:3b.REV.019.003 ipapo vakapamhidza, vachiti: Hareruya! Vutsi bwaro bwunokwira nokusingaperi-peri.
19:4b.REV.019.004 Zvino Vakuru vanamakumi maviri navana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawira pasi vakanamata Mwari wakanga agere pachigaro chovushe, vakati: Ameni, Hareruya!
19:5b.REV.019.005 Inzwi rikabva pachigaro chovushe, richiti: Rumbidzai Mwari, imi mose varanda vake, imi munomutya, vaduku navakuru.
19:6b.REV.019.006 Ipapo ndakanzwa senzwi ravazhinji-zhinji, senzwi remvura zhinji, senzwi rokutinhira kukuru richiti: Hareruya! Nokuti Ishe Mwari wedu wamasimba ose wobata vushe.
19:7b.REV.019.007 Ngatifarei, tifarisise, timukudze; nokuti mutambo wokuwana weGwaiana wasvika, mukadzi waro wazvigadzira.
19:8b.REV.019.008 Wakapiwa simba kuti apfeke mucheka wakanaka, unopenya, usinetsvina; nokuti mucheka wakanaka ndizvo zvakarurama zvavatsvene.
19:9b.REV.019.009 Zvino akati kwandiri: Nyora, uti: Vakaropfadzwa vakakokerwa kuchirayiro chokuwana cheGwaiana. Akati kwandiri: Mashoko awa ndaazvokwadi aMwari.
19:10b.REV.019.010 Ipapo ndakawira pasi pamberi petsoka dzake, kuti ndimunamate. Akati kwandiri: Rega kudaro, nokuti ndiri muranda pamwe chete newe nehama dzako dzinobata kupupura kwaJesu; namata Mwari, nokuti kupupura kwaJesu ndiwo mweya wokuporofita. Kristu unokunda chikara nomuporofita wenhema
19:11b.REV.019.011 Ipapo ndakavona kudenga kwakazarurwa, ndikavona bhiza jena; naiye wakanga agere pamusoro paro wakanzi: Wakatendeka noWazvokwadi; unotonga nokurwa zvakarurama.
19:12b.REV.019.012 Meso ake akanga akaita somurazvo womoto; pamusoro wake pakanga panekorona zhinji; wakanga anezita rakanyorwa, risina kuzikanwa nomunhu, asi naiye bedzi.
19:13b.REV.019.013 Wakanga akapfeka nguvo yakanyikwa muropa; zita rake rinonzi Shoko raMwari.
19:14b.REV.019.014 Hondo dzokudenga dzakamutevera, dzakatasva mabhizha machena, dzakafuka mucheka wakanaka muchena, usinetsvina.
19:15b.REV.019.015 Mumuromo make makabuda munondo unopinza, kuti arove marudzi nawo; uchaafudza netsvimbo yedare; unotsika chisviniro chehasha dzokutsamwa kwaMwari wamasimba ose.
19:16b.REV.019.016 Panguvo yake napachidzva chake pakanga pakanyorwa zita rinoti: Mambo wamadzimambo, naShe Wamadzishe.
19:17b.REV.019.017 Zvino ndakavona mutumwa amire muzuva; akadanidzira nenzwi guru, achiti kushiri dzose dzinobhururuka pakati pedenga: Vuyai, muvungane pachirayiro chikuru chaMwari.
19:18b.REV.019.018 kuti mudye nyama yamadzimambo, nenyama yavakuru vezvuru zvamazana, nenyama yavanesimba, nenyama yamabhiza, neyavatasvi vawo nenyama yavanhu vose vakasununguka navakasungwa, vaduku navakuru.
19:19b.REV.019.019 Zvino ndakavona chikara chiya namadzimambo enyika nehondo dzavo, vakavungana kuti varwe naiye wakanga akatasva bhiza, nehondo dzake.
19:20b.REV.019.020 Ipapo chikara chakabatwa pamwe chete nomuporofita wenhema, wakaita zviratidzo pamberi pacho, zvaakanyengera nazvo vaya vakapiwa chiratidzo chechikara, navainamata mufananidzo wacho. Ava vaviri vakakandirwa vari vapenyu mugomba romoto unopfuta nesurferi.
19:21b.REV.019.021 Vakasara vakavurawa nomunondo waiye wakanga akatasva bhizha, wakabuda mumuromo make; shiri dzose dzikaguta nyama yavo.
20
20:1b.REV.020.001 Zvino ndakavona mutumwa achiburuka kudenga, anekiyi, yegomba rakadzika-dzika, neketani huru muruvoko rwake.
20:2b.REV.020.002 Akabata shato, nyoka yakare, ndiye Dhiabhorosi naSatani, akamusunga makore anegumi ramazana,
20:3b.REV.020.003 akamukandira mugomba rakadzika-dzika, akamupfigiramo, akaisa chisimbiso pamusoro pake kuti arege kuzonyengera marudzi kusvikira makore anegumi ramazana apera; shure kwaizvozvo unofanira kusunungurwa chinguva chiduku.
20:4b.REV.020.004 Ipapo ndakavona zvigaro zvovushe, vakagara pamusoro pazvo, vakapiwa simba rokutonga; ndikavona mweya yavakanga vagurwa misoro nokuda kwokupupura kwaJesu, nokweshoko raMwari, navose vasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho, vasina kupiwa chiratidzo pahuma yavo naparuvoko rwavo; vakararama vakabata vushe pamwe chete naKristu makore anegumi ramazana.
20:5b.REV.020.005 Vamwe vakafa havana kumukazve kusvikira makore anegumi ramazana apera. Ndiko kumuka kwokutanga.
20:6b.REV.020.006 Munhu unomugove pakumuka kwokutanga wakaropafadzwa, mutsvene; rufu rwechipiri harunesimba pamusoro paivava; asi vachava vaPirisita vaMwari navaKristu, vachabata vushe pamwe chete naye makore anegumi ramazana. Satani unosunungurwa, ndokuzokundzwa kwazvo
20:7b.REV.020.007 Zvino kana makore anegumi ramazana apera, Satani uchasunungurwa mutorongo yake,
20:8b.REV.020.008 uchabuda kundonyengera marudzi ose ari kumativi mana enyika, ivo Gogi naMagogi, aavunganidzire kundorwa; kuwanda kwavo kwa kwakaita sejecha regungwa.
20:9b.REV.020.009 Vakakwira pakufara kwenyika, vakakomba misasa yavatsvene neguta rinodikanwa; ipapo moto wakaburuka uchibva kuna Mwari kudenga, ukavaparadza.
20:10b.REV.020.010 Zvino Dhiabhorosi, wakavanyengera, akakandwa mudziva romoto nesurferi, panechikara nomuporofita wenhema, kuti varwadzwe masikati novusiku no kusingaperi-peri. Kutonga kwokupedzisira
20:11b.REV.020.011 Zvino ndakavona chigaro chovushe chikuru chichena, naiye wakanga agere pamusoro pacho, iye, nyika nedenga zvakatiza pachiso chake, zvikasawanirwa nzvimbo.
20:12b.REV.020.012 Ipapo ndakavona vakafa, vaduku navakuru, vamire pamberi pechigaro chovushe; bhuku dzikazarurwa,neimwe bhuku youpenyu ikazarurwa, vakafa vakatongwa nezvakanga zvakanyorwa mubhuku, sezvavakabata.
20:13b.REV.020.013 Gungwa rikabudisa vakafa vakanga vari mariri; norufu neHadhesi zvikabudisa vakafa vakanga vari mazviri; mumwe nomumwe akatongwa sezvaakabata.
20:14b.REV.020.014 Ipapo rufu neHadhesi zvakakandirwa mudziva romoto. Ndirwo rufu rwechipiri, ndiro dziva romoto.
20:15b.REV.020.015 Zvino kana munhu akawanikwa asina kunyorwa mubhuku yovupenyu, wakakandirwa mudziva romoto.
21
21:1b.REV.021.001 Zvino ndakavona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuvura; negungwa rakanga risisipo.
21:2b.REV.021.002 Ini Johane ndikavona guta dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kudenga richibva kunaMwari, rakagadzirwa somwenga wakashongedzerwa murume wake.
21:3b.REV.021.003 Ndikanzwa inzwi richibva kudenga, richiti: Tarirai, tabernakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye uchagara navo ivo vachava vanhu vake; Mwari amene uchava navo, ave Mwari wavo.
21:4b.REV.021.004 Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokatanga zvapfuvura.
21:5b.REV.021.005 Wakanga agere pachigaro chovushe akati: Tarirai, ndinovandudza zvose akati kwandiri nyora: nokuti mashoko awa angatendwa, ndaazvokwadi.
21:6b.REV.021.006 Akati kwandiri: Zvaitwa. Ndini Arfa neOmega, kutanga nokuguma. Ini ndichapa unenyota zvinobva patsime remvura yovupenyu asigatengi.
21:7b.REV.021.007 Unokunda uchagara nhaka yezvinhu izvi: ndichava Mwari wake, iye uchava mwanakomana wangu.
21:8b.REV.021.008 Asi kana vari vanotya, navasingatendi navanyangadzi, navavurayi, nemhombwe, navaroyi, navanonamata zvifananidzo, navose vanoreva nhema, vachava nemugove wavo mudziva rinopfuta nomoto nesurferi; ndirwo rufu rwechipiri. Jerusarema idzva
21:9b.REV.021.009 Zvino mumwe wavatumwa vanomwe vakanga vane ndiro nomwe dzizere namatambudziko manomwe okupedzisira akavuya kwandiri akasvika akataura neni, achiti: Vuya pano, ndigokuratidza mwenga, mukadzi weGwaiana.
21:10b.REV.021.010 Ipapo wakandiisa muMweya kugomo guru refu, akandiratidza guta guru Jerusarema dzvene, richiburuka kudenga, richibva kunaMwari,
21:11b.REV.021.011 rinokubwinya kwaMwari; chiedza charo chakanga chakaita sebwe rinokosha kwazvo, sebwe rejasipisi, rinovonekera sekiristaro;
21:12b.REV.021.012 rakanga rinorusvingo rukuru, rurefu, rakanga rinamasuvo anegumi namaviri; navatumwa vanegumi navaviri pamusuvo, namazita akanyorwa pamusoro pawo, ari mazita amarudzi anegumi namaviri avana vaIsraeri.
21:13b.REV.021.013 Kumabvazuva kwakanga kunamasuvo matatu; kumusoro masuvo matatu, zasi masuvo matatu, nokumavirira masuvo matatu;
21:14b.REV.021.014 rusvingo rweguta rwakanga runenheyo dzinegumi nembiri; napamusoro padzo mazita avaapostora vanegumi navaviri veGwaiana.
21:15b.REV.021.015 Uyo, wakataura neni, wakanga anorutsanga rwendarama rokuyera guta narwo, namasuvo aro norusingo rwaro.
21:16b.REV.021.016 Guta rakanga rakavakwa namativi mana akaenzana, kureba kwaro kwakaenzana nokufara kwaro; akayera guta norutsanga, zvikasvika pamastadia anezvuru zvinegumi nezviviri*; kureba nokufara, nokukwirira kwaro zvakanga zvakaenzana.
21:17b.REV.021.017 Akayera rusvingo rwaro, makubiti anezana namakumi mana namana, nechiyero chomunhu, chiri chiyero chomutumwa.
21:18b.REV.021.018 Rusvingo rwaro rwakanga rwakavakwa nejaspisi, vuye guta rakanga riri rendarama, yakaisonaka, yakavonekera kwazvo.
21:19b.REV.021.019 Nheyo dzorusingo rweguta dzakanga dzakashongedzwa namabwe amarudzi ose anokosha. Nheyo yokutanga yakanga iri yejasipisi; yechipiri yesafiri yetatu yekasidhoni yechina yesimaragidhino;
21:20b.REV.021.020 yechishanu yesardoniksi; yechitanhatu yesardio; yechinomwe yekrisoriti; yorusere yeberiri; yepfumbamwe yetopasi; yegumi yekirisoprasi; yegumi neimwe yehiakinti; yegumi nembiri yaametesti.
21:21b.REV.021.021 Masuvo anegumi namaviri akanga ari amaparera anegumi namaviri; suvo rimwe nerimwe rakanga riri reparera rimwe; nzira yomuguta yakanga iri yendarama yakaisonaka, inoita seinovonekera.
21:22b.REV.021.022 Handina kuvona tembere mukati maro, nokuti Ishe Mwari wamasimba ose neGwaiana itembere yaro.
21:23b.REV.021.023 Guta haritsvaki zuva kana mwedzi, kuti rivhenekerwe nazvo; nokuti kubwinya kwaMwari ndiko kwairi vhenekera, nomwenje waro ndiro Gwaiana.
21:24b.REV.021.024 Vuye marudzi avaya vanoponeswa achafamba nechiedza charo, madzimambo enyika achavuyisa kubwinya kwawo nokukudzwa kwawo mariri.
21:25b.REV.021.025 Masuvo aro haangatongozarirwi masikati, nokuti vusiku habwuchazovipo.
21:26b.REV.021.026 Vachavuyisa mukati maro kubwinya nokukudzwa kwendudzi.
21:27b.REV.021.027 Mukati maro hamungatongopindi chinhu chinosvibisa, kana chinonyangadza, kana chinenhema; asi avo bedzi vakanyorwa mubhuku yovupenyu yeGwaiana.
22
22:1b.REV.022.001 Zvino wakandiratidza rwizi rwakachena rwemvura yovupenyu, yakapenya sekristaro, inobuda pachigaro chovushe chaMwari necheGwaiana,
22:2b.REV.022.002 pakati penzira yaro. Kumativi maviri orwizi kwakanga kunomuti wovupenyu, unobereka zvibereko zvamarudzi anegumi namaviri, uchiita zvibereko zvawo mwedzi mumwe nomumwe; namashizha omuti aiva mushonga wokuporesa ndudzi.
22:3b.REV.022.003 Hakuchavi nechinhu chakatukwa; chigaro chovushe chaMwari necheGwaiana chichava mukati maro; varanda vake vachamushumira, vachavona chiso chake;
22:4b.REV.022.004 vuye zita rake richava pahuma dzavo.
22:5b.REV.022.005 Vusiku habwuchazovipo; havatsvaki chiedza chomwenje kana chiedza chezuva; nokuti Ishe Mwari uchavavhenekera; vachabata vushe nokusingaperi-peri. Mashoko okupedzisira
22:6b.REV.022.006 Zvino akati kwandiri: Mashoko awa angatendwa, ndaazvokwadi; Ishe, Mwari wemweya yavaporofita, wakatuma mutumwa wake kuti aratidze varanda vake zvinhu zvoda kuitwa.
22:7b.REV.022.007 Tarirai, ndokurumidza kuvuya; unochengeta mashoko okuporofita kwebhuku iyi wakaropafadzwa.
22:8b.REV.022.008 Ini Johane, ndini ndakanzwa, ndikavona izvozvi. Zvino ndakati ndichinzwa, nokuvona, ndikawira pasi kuti ndinamate pamberi petsoka dzomutumwa wakandiratidza izvozvi.
22:9b.REV.022.009 Akati kwandiri: Rega kudaro; ndiri muranda pamwe chete newe, nehama dzako, vaporofita, navanochengeta mashoko ebhuku iyi; namata Mwari.
22:10b.REV.022.010 Ipapo akati kwandiri: Usazarira mashoko okuporofita kwebhuku iyi, nokuti nguva yava pedo.
22:11b.REV.022.011 Usina kururama ngaarambe achiita zvisakarurama; unetsvina, ngaarambe a chisvibiswa; wakarurama ngaarambe achiita zvakarurama; mutsvene ngaarambe achiitwa mutsvene.
22:12b.REV.022.012 Tarirai, ndinokurumidza kuvuya; mubairo wangu ndinawo, kuti ndipe mumwe nomumwe sezvaakabata.
22:13b.REV.022.013 Ndini Arfa naOmega, wokutanga nowokupedzisira, kutanga nokuguma.
22:14b.REV.022.014 Vakaropafadzwa vanoita mirairo yake, kuti vave nesimba rokuvuya kumuti wovupenyu, vapinde napamasuvo eguta.
22:15b.REV.022.015 Kunze ndiko kunembwa, navaroyi, nemhombwe, navavurayi, navanonamata zvifananidzo navose vanoda nhema vachidziita.
22:16b.REV.022.016 Ini Jesu ndakatuma mutumwa wangu kuti akupupurirei izvozvi pakereke. Ndini mudzi worudzi rwaDhavhidhi, nyamasase inopenya.
22:17b.REV.022.017 Mweya nomwenga vanoti: Vuya! Naiye unonzwa ngaati: Vuya! Unenyota ngaavuye. Unoda ngaatore mvura yovupenyu asingatengi.
22:18b.REV.022.018 Ndinopupurira mumwe nomumwe unonzwa mashoko okuporofita kwebhuku iyi, ndichiti: Kana munhu akawedzera pazvinhu izvi, Mwari uchawedzera kwaari madambudziko akanyorwa mubhuku iyi;
22:19b.REV.022.019 kana munhu akabvisa mashoko ebhuku yokuporofita uku, Mwari uchabvisa mugove wake pabhuku yovupenyu, nomuguta dzvene, napazvinhu zvakanyorwa mubhuku iyi.
22:20b.REV.022.020 Iye unopupura izvozvi unoti: Hongu, vuyai Ishe Jesu.
22:21b.REV.022.021 Nyasha dzaShe Jesu Kristu ngadzive navose. Ameni.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Revelation (Shona). Revelation (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C61A-C