James (Shona)

James (Shona)

1

1:1b.JAM.001.001 Jakobho, muranda waMwari nowaShe Jesu Kristu, kumarudzi anegumi namaviri akapararira: Farai! Kutambudzika nemiidzo

1:2b.JAM.001.002 Hama dzangu,zvitorei somufaro bedzi kana muchiwira mumiidzo mizhinji;

1:3b.JAM.001.003 muchiziva kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira.

1:4b.JAM.001.004 Asi kutsungirira ngakuve nebasa rakakwaniswa, kuti mukwane, mururame kwazvo, musingashaiwi chinhu.

1:5b.JAM.001.005 Zvino kana mumwe wenyu achishaiwa kuchenjera ngaakumbire kunaMwari, unongopa vose asingazotuki; uchapiwa hake.

1:6b.JAM.001.006 Asi ngaakumbire nokutenda, asinganyunyuti napaduku; nokuti munhu unonyunyuta wakaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richimutswa-mutswa.

1:7b.JAM.001.007 Munhu uyu arege kufunga kuti uchazowana chinhu kunaShe;

1:8b.JAM.001.008 munhu, unemoyo miviri, unoshanduka-shanduka panzira dzake dzose.

1:9b.JAM.001.009 Asi hama iri muduku ngaafare nokukudzwa kwake;

1:10b.JAM.001.010 nomufumi nokuninipiswa kwake, nokuti uchapfuvura seruva rovuswa.

1:11b.JAM.001.011 Nokuti zuva rinobuda pamwe chete nemhepo inopisa, ndokuwomesa vuswa; ruva rabwo rinowira pasi, nokunaka kwabwo kwakanga kwavonekwa kunopera; saizvozvo vo mufumi uchasvava panzira dzake.

1:12b.JAM.001.012 Wakaropafadzwa munhu uyo unotsungirira pakuidzwa; nokuti kana atendwa, uchapiwa korona yovupenyu yakapikirwa avo vanomuda.

1:13b.JAM.001.013 Kana munhu achiidzwa, ngaarege kuti ndinoidzwa naMwari; nokuti Mwari haangaidzwi nezvakaipa, naiye amene haangaidzi munhu.

1:14b.JAM.001.014 Asi munhu mumwe nomumwe unoidzwa kana achikwebwa nokuchiva kwake achinyengerwa.

1:15b.JAM.001.015 Zvino kuchiva, kana kwarema, kunozvara zvivi; nezvivi, kana zvakura, zvinobereka rufu.

1:16b.JAM.001.016 Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikanwa.

1:17b.JAM.001.017 Zvipo zvose zvakanaka nezvipiwa zvose zvakakwana zvinobva kumusoro, zvichiburuka kunaBaba vezviedza, uyo usina kupinduka kana mumvuri wokushanduka.

1:18b.JAM.001.018 Nokuda kwake wakatibereka neshoko rezvokwadi, kuti isu tiite sechibereko chokutanga chezvisikwa zvake. Ivai vaiti veshoko

1:19b.JAM.001.019 Munoziva henyu izvozvo hama dzangu dzinodikanwa. Asi munhu mumwe nomumwe ngaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kutsamwa;

1:20b.JAM.001.020 nokuti kutsamwa kwomunhu hakuiti kururama kwaMwari.

1:21b.JAM.001.021 Saka bvisai tsvina yose nokuipa kwakawanda, mugamuchire nomoyo munyoro shoko rakasimwa mukati menyu, rinogona kuponesa mweya yenyu.

1:22b.JAM.001.022 Asi ivai vaiti veshoko, musava vanzwi voga, muchizvinyengera.

1:23b.JAM.001.023 Nokuti kana ari munzwi weshoko, asati ari muiti waro, wakafanana nomunhu unovona chiso chake, chaakaberekwa nacho, muchivonivoni.

1:24b.JAM.001.024 Nokuti unozvivona, ndokuenda, ndokukanganwa pakarepo kuti wakadini iye.

1:25b.JAM.001.025 Asi munhu unocherekedza murairo wakakwana, iwo murairo wokusunungurwa, akaramba achidaro, asati ari munzwi, unokanganwa, asi muiti webasa, iye ucharopafadzwa panezvaanoita.

1:26b.JAM.001.026 Kana munhu pakati penyu achiti ndinonamata Mwari, asingadzori rurimi rwake, asi achinyengera moyo wake, kutenda kwaiyeyo munhu hakunamaturo.

1:27b.JAM.001.027 Kunamata, kwakarurama, kusine mhosva pamberi paMwari wedu naBaba, ndiko kufambira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwavo, nokuzvichengeta, kuti arege kusvibiswa nenyika.

2

2:1b.JAM.002.001 Hama dzangu, kutenda kwenyu kunaShe wedu Jesu Kristu, iye wokubwinya, ngakurege kuva nokutenda zvinovonekwa zvomunhu.

2:2b.JAM.002.002 Nokuti kana musinagoge renyu mukapinda munhu unemhete yendarama, akapfeka nguvo dzakanaka, mukapinda vo murombo, wakapfeka nguvo dzakaipa;

2:3b.JAM.002.003 mukatarira uyo wakapfeka nguvo dzakanaka, mukati: Gara pano pakanaka; mukati kumurombo: Mira ipapo, kana: Gara pasi pachitsiko chetsoka dzangu;

2:4b.JAM.002.004 ko hamuna kutsaura mumoyo yenyu, mukava vatongi vanemifungo yakaipa here?

2:5b.JAM.002.005 Inzwai, hama dzangu dzinodikanwa: Ko Mwari haana kusanangura varombo venyika here kuti vave vafumi pakutenda, navadyi venhaka yovushe bwakapikira vanomuda?

2:6b.JAM.002.006 Asi imi makazvidza murombo. Ko havazi vafumi vanokuremedzai, naivo vanokukwirirai kuzvigaro zvokutonga here?

2:7b.JAM.002.007 Ko havazi ivo vanomhura zita rakanaka ramunotumidzwa naro here?

2:8b.JAM.002.008 Asi zvino kana muchizadzisa murairo wovushe, sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Ida wokwako sezvaunozvida iwe, munoita zvakanaka.

2:9b.JAM.002.009 Asi kana muchitenda zvinovonekwa zvomunhu, munoita zvivi, munopiwa mhosva nomurairo muchinzi vadariki.

2:10b.JAM.002.010 Nokuti munhu unochengeta murairo wose, akagumburwa kunechinhu chimwe chete, wava nemhosva kunezvose.

2:11b.JAM.002.011 Nokuti iye, wakati: usaita vupobwe, ndiyevo: wakati usavuraya. Zvino kana usingaiti vupobwe, asi uchivuraya, wava mudariki womurairo.

2:12b.JAM.002.012 Taurai, vuye itai savanhu vanozotongwa nomurairo wokusunungurwa.

2:13b.JAM.002.013 Nokuti kutonga hakungavi nengoni kunousina kuitira vamwe ngoni; ngoni dzinozvirumbidza dzichikunda kutonga. Kutenda kusinamabasa kwakafa

2:14b.JAM.002.014 Zvinobatsirei hama dzangu, kana munhu achiti: Ndinokutenda, asi asinamabasa? Ko kutenda uko kungamuponesa here?

2:15b.JAM.002.015 Kana kunehama, murume kana mukadzi, asina zvokufuka, unoshaiwa zvokudya zuva rimwe nerimwe,

2:16b.JAM.002.016 mumwe wenyu akati kwavari: Endai henyu nomufaro, mudziyirwe, mugute, musingavapi izvo zvinodikanwa nomuviri, zvinogobatsirei?

2:17b.JAM.002.017 Saizvozvo, vo, nokutenda kana kusinamabasa, kwakafa hako.

2:18b.JAM.002.018 Asi mumwe ungati: iwe unokutenda, neni ndinamabasa; ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa,neni ndigokuratidza namabasa angu kutenda kwangu.

2:19b.JAM.002.019 Iwe unotenda kuti Mwari ndiye mumwe chete; unoita zvakanaka; mweya yakaipa inotenda vo izvozvo, ichidedera.

2:20b.JAM.002.020 Zvino iwe munhu wovupenzi, unoda kuziva here kuti kutenda kusinamabasa kwakafa?

2:21b.JAM.002.021 Ko Abhurahamu, baba vedu, haana kururamiswa namabasa here, nguva yaakabayira mwanakomana wake Isaka paaritari?

2:22b.JAM.002.022 Unovona kuti kutenda kwake kwakabata pamwe chete namabasa ake, vuye kuti kutenda kwake kwakakwaniswa namabasa;

2:23b.JAM.002.023 rugwaro rukaitika, runoti: Abhurahamu wakatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama; akanzi hama yaMwari.

2:24b.JAM.002.024 Munovona kuti munhu unoruramiswa namabasa, haaruramiswi nokutenda bedzi.

2:25b.JAM.002.025 Saizvozvo vo, Rakabhi, chifeve, haana kururamiswa here namabasa, nguva yaakachingamidza nhume, nokuvaendisa neimwe nzira?

2:26b.JAM.002.026 Nokuti somuviri usinomweya wakafa, saizvozvo kutenda kusinamabasa kwakafa vo.

3

3:1b.JAM.003.001 Hama dzangu, musava vadzidzisi vazhinji, zvamunoziva kuti tichatongwa nokupfuvurisa.

3:2b.JAM.003.002 Nokuti tinogumburwa tose pazvinhu zvizhinji. Kana munhu asingagumburwi pakutaura, iye munhu wakakwana, unogona kudzora muviri wose vo.

3:3b.JAM.003.003 Zvino kana tichiisa matare amabhiza mumiromo yawo, kuti atiterere, tinodzora vo muviri wawo wose.

3:4b.JAM.003.004 Tarirai magwa makuru, kunyange ari makuru akadai, achidzingwa nemhepo dzinesimba guru, anodzorwa nechidzoreso chiduku duku kwose-kwose nokuda kwomoyo womufambisi wawo.

3:5b.JAM.003.005 Saizvozvo vo rurimi mutezo muduku, runozvirumbidza zvikuru. Tarirai, moto muduku unotungidza huni zhinji sei!

3:6b.JAM.003.006 Rurimi moto, rwakaita senyika izere nezvisakarurama; ndizvo zvakaita rurimi pakati pemitezo yedu, runosvibisa muviri wose, runotungidza nzira yose yovupenyu, runotungidzwa irwo neGehena.

3:7b.JAM.003.007 Nokuti marudzi ose emhuka, neshiri, nezvinokambaira, nezviri mugungwa angapingudzwa, vuye akambopingudzwa navanhu;

3:8b.JAM.003.008 asi hakunomunhu ungapingudza rurimi; ndicho chinhu chakaipa chinoshanduka-shanduka, chizere nomuti unovuraya.

3:9b.JAM.003.009 Narwo tinorumbidza Ishe Baba; narwo tinotuka vanhu, vakaitwa nomufananidzo waMwari;

3:10b.JAM.003.010 mumuromo mumwe munobva kurumbidza nokutuka. Hama dzangu, hatifaniri kudaro.

3:11b.JAM.003.011 Tsime rinobudisa pachitubu chimwe mvura inonaka neinovava here?

3:12b.JAM.003.012 Hama dzangu, muvonde ungabereka maorivhi, kana muzambiringa mavonde here? Kunyange nemvura inovava haingabudisi inonaka. Kuchenjera kunobva kumusoro

3:13b.JAM.003.013 Ndiani pakati penyu wakachenjera, wakangwara? Ngaaratidze nomufambire wake wakanaka mabasa ake novunyoro bwovuchenjeri.

3:14b.JAM.003.014 Asi kana munegodo rinovava norukave mumoyo menyu, musazvirumbidza nokurevera zvokwadi nhema.

3:15b.JAM.003.015 Kuchenjera uku hakuburuki kuchibva kumsoro, asi ndokwenyika, kwatakamuka nako, kwomweya wakaipa.

3:16b.JAM.003.016 Nokuti panegodo norukave, ndipo panenyonganiso namabasa ose akaipa.

3:17b.JAM.003.017 Asi kuchenjera, kunobva kumusoro, zvikuru kwakachena, vuye kunorugare, kunyoro, kunoterera, kuzere nengoni nezvibereko zvakanaka, kusingatsauri kusinganyengeri.

3:18b.JAM.003.018 Chibereko chokururama chinodzwarwa parugare navanoita rugare.

4

4:1b.JAM.004.001 Kurwa nokukakavara pakati penyu zvinobvepiko? Hazvibvi pakuchiva kwenyu, kunorwa pamitezo yenyu here?

4:2b.JAM.004.002 Munochiva, Munorwa asi hamune chinhu; munovuraya, munogodorana, musingagoni kuwana chinhu; munokakavara, muchirwa; hamunechinhu nokuti hamukumbiri..

4:3b.JAM.004.003 Munokumbira, musingapiwi; nokuti munokumbira zvakaipa, kuti muzviparadze pakuchiva kwenyu.

4:4b.JAM.004.004 Imi vovutere,hamuzivi here kuti vushamwari bwenyika bwunovengana naMwari? Naizvozvo mumwe nomumwe, unoda kuva shamwari yenyika, unozviita muvengi waMwari.

4:5b.JAM.004.005 Munofunga kuti Rugwaro runotaura pasina here, ruchiti: Mweya, wakagarisa mukati medu unotishuva negodo?

4:6b.JAM.004.006 Asi unopa nyasha dzakapfuvura. Saka Rugwaro runoti: Mwari unodzivisa vanozvikudza, asi unopa nyasha vanozvininipisa.

4:7b.JAM.004.007 Naizvozvo muzviise pasi paMwari: dzivisai Dhiabhorosi, agokutizai.

4:8b.JAM.004.008 Swederai kunaMwari, iye agoswedera kwamuri. Shambai mavoko enyu, imi vatadzi; natsai moyo yenyu, imi munemoyo miviri.

4:9b.JAM.004.009 Shuwai, mucheme, muraire; kuseka kwenyu ngakushandurwe kuve kuchema, nokufara kwenyu dzive shungu.

4:10b.JAM.004.010 Muzvininipise pamberi paShe, agokukudzai. Musatongana nokutonga vamwe

4:11b.JAM.004.011 Hama dzangu, musareverana zvakaipa. Unorevera hama yake zvakaipa, kana kutonga hama yake, unorevera murairo zvakaipa nokutonga murairo; zvino kana uchitonga murairo, hauzi muiti womurairo, asi mutongi.

4:12b.JAM.004.012 Mumwe chete ndiye mutemi womurairo nomutongi, iye unogona kuponesa nokuparadza; asi iwe ndiwe aniko unotonga wokwako? Zvamangwana hazvizikanwi

4:13b.JAM.004.013 Nhai imi, munoti: Nhasi, kana mangwana tichaenda kuguta rokuti, tigogara ko gore, tichishambadzira, tifume

4:14b.JAM.004.014 imi musingazivi zvamangwana. Vupenyu bwenyu chinyiko? Nokuti muri mhute, inovonekwa nguva duku, ndokunyangarika.

4:15b.JAM.004.015 Mungadai muchiti: Kana Ishe achida, tichararama tiite zvokuti nezvokuti.

4:16b.JAM.004.016 Asi zvino munozvirumbidza pakuzvikudza kwenyu; kuzvirumbidza kwose kwakadai kwakaipa.

4:17b.JAM.004.017 Naizvozvo uyo, unoziva kuita zvakanaka, akasazviita, iye unezvivi.

5

5:1b.JAM.005.001 Tambirai, imi vafumi, chemai muridze mhere nokuda kwamadambudziko achakuwirai.

5:2b.JAM.005.002 Fuma yenyu yakavora, nguvo dzenyu dzapera nezvivundudzi.

5:3b.JAM.005.003 Ndarama yenyu nesirivheri yenyu zvinengura; ngura yazvo ichakupupurirai zvakaipa, ichapedza nyama yenyu somoto. Makazvichengetera fuma pamazuva okupedzisira.

5:4b.JAM.005.004 Tarirai, mubairo wavaranda venyu vakacheka minda yenyu, wamakaramba nawo nokunyengera, unodanidzira; nokudana kwavacheki kwakasvika kunzeve dzaShe wehondo.

5:5b.JAM.005.005 Makagara mumufaro panyika muchikarira zvinofadza; makakodza moyo yenyu sapazuva rokubaya.

5:6b.JAM.005.006 Makatongera wakarurama, mukamuvuraya; haakudzivisiyi. Tsungirirai kusvikira Ishe achivuya

5:7b.JAM.005.007 Naizvozvo hama dzangu, tsungirirai kusvikira pakuvuya kwaShe. Tarirai, murimi unomirira chibereko chenyika chinokosha, achitsungirira pamsoro pazvo kusvikira zvapiwa mvura yokutanga neyokuguma.

5:8b.JAM.005.008 Nemi vo tsungirirai; simbisai moyo yenyu, nokuti kuvuya kwaShe kwava pedo,

5:9b.JAM.005.009 Hama dzangu, musanyunyutirana kuti murege kutongwa; tarirai, mutongi umire pamukova.

5:10b.JAM.005.010 Hama dzangu, pakutambudzika nokutsungirira teverai makwara avaporofita vakataura nezita raShe.

5:11b.JAM.005.011 Tarirai, vakatsunga moyo tinoti vakaropafadzwa; makanzwa zvokutsungirira kwaJobho, makavona Ishe zvaakavavarira naye, kuti Ishe unomoyo munyoro kwazvo, unetsitsi. Musapika

5:12b.JAM.005.012 Asi, hama dzangu, kupfuvura zvinhu zvose, musapika, kunyange nedenga, kana nenyika, kana nokupika kumwe kwose; asi hongu yenyu ngaive hongu, kwete yenyu ngaive kwete; kuti murege kuwira mukutongwa. Kunyengetera kunesimba

5:13b.JAM.005.013 Kunomumwe unotambudzika pakati penyu here? Ngaanyengetere. Kunomumwe unofara here? Ngaaimbe mapisarema.

5:14b.JAM.005.014 Kunomumwe unorwara pakati penyu here? Ngaadane vakuru vekereke; ngavamunyengeterere, vamuzodze namafuta nezita raShe.

5:15b.JAM.005.015 Kunyengetera kwokutenda kuchaponesa unorwara, Ishe uchamumutsa; kana akaita zvivi, uchazvikanganwirwa.

5:16b.JAM.005.016 Naizvozvo revururanai zvivi zvenyu munyengetererane kuti muporeswe. Kukumbira kwomunhu wakarurama kune simba guru pakubata kwako.

5:17b.JAM.005.017 Eria wakanga ari munhu wakaita sesu, akanyengetera nomunyengetero kuti mvura irege kunaya; ikasanaya panyika makore matatu nemwedzi mitanhatu.

5:18b.JAM.005.018 Akanyengetera zve; denga rikanisa mvura, nyika ikabereka zvibereko zvayo.

5:19b.JAM.005.019 Hama dzangu, kana kunomunhu pakati penyu wakatsauka pazvokwadi, mumwe akamudzora,

5:20b.JAM.005.020 ngaazive kuti unodzora mutadzi panzira yokutsauka kwake, uchaponesa mweya parufu nokufukidza zvivi zvizhinji.


Holder of rights
Multilingual Bible Corpus

Citation Suggestion for this Object
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. James (Shona). James (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C605-3