1 Thessalonians (Shona)

1 Thessalonians (Shona)

1

1:1b.1TH.001.001 Pauro, naSivhano, naTimotio, kukereke yavaTesaronika, iri munaMwari, Baba, naShe Jesu Kristu: Nyasha ngadzive nemi norugare zvinobva kuna Mwari baba vedu naShe Jesu Kristu. Kuvonga kwaPauro

1:2b.1TH.001.002 Tinovonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu mose, tichikurangarirai pakunyengetera kwedu;

1:3b.1TH.001.003 tichiramba tichirangarira basa renyu rinobva pakutenda, nokutamburira vamwe kunobva parudo, nokutsungirira kunobva patariro munaShe wedu, Jesu Kristu, pamberi paMwari, Baba vedu;

1:4b.1TH.001.004 tinoziva, hama dzinodikanwa naMwari, kusanangurwa kwenyu.

1:5b.1TH.001.005 Nokuti Evhangeri yedu haina kuvuya kwamuri neshoko bedzi, asi nesimba vo, noMweya Mutsvene, nokuziva kwazvo; sezvamunoziva kuti takanga takadini pakati penyu nokuda kwenyu.

1:6b.1TH.001.006 Nemi makava vateveri vedu navaShe, zvamakagamuchira Shoko mumadambudziko mazhinji, nomufaro woMweya Mutsvene;

1:7b.1TH.001.007 naizvozvo makatungamirira vose vanotenda muMakedhonia neAkaya.

1:8b.1TH.001.008 Nokuti shoko raShe, rakabva kwamuri, rakanzwika, kusati kuri kuMakedhonia neAkaya bedzi, asi kutenda kwenyu kunaMwari kwakasvika kwose; naizvozvo hatifaniri kutaura chinhu.

1:9b.1TH.001.009 Nokuti ivo vamene vanoparidza kupinda kwedu kwamuri, kuti kwakanga kwakadini; vuye, kuti makatendevukira kunaMwari, muchibva pazvifananidzo, kuti mubatire Mwari mupenyu wazvokwadi,

1:10b.1TH.001.010 nokumirira Mwanakomana wake pakubva kwake kudenga, iye wakamutswa kuvakafa, ndiye Jesu unotisunungura pakutsamwa kunovuya.

2

2:1b.1TH.002.001 Nokuti Nemi, hama dzangu, munoziva kuti kupinda kwedu kwamuri hakuna kuva pasina.

2:2b.1TH.002.002 Asi kunyange takatambudzika nokuitirwa zvakaipa paFiripi, sezvamunoziva, takatsunga munaMwari wedu, tikakuparidzirai Evhangeri yaMwari pakati pokudziviswa kukuru.

2:3b.1TH.002.003 Nokuti kuraira kwedu hakuna kubva pakurashika, kana pakufunga kwakaipa, kana pakunyengera;

2:4b.1TH.002.004 asi sezvatakatendiwa naMwari, kuti tipiwe Evhangeri, ndizvo zvatinotaura; tisingaiti kuti tifadze vanhu, asi Mwari unoidza moyo yedu.

2:5b.1TH.002.005 Nokuti, sezvamunoziva, hatina kutongoreva namashoko okubata kumeso, kana namano-mano okukarira fuma, Mwari chapupu;

2:6b.1TH.002.006 tisingatsvaki kukudzwa navanhu kana nemi, kana navamwe, kunyange taigona kukuremedzai, zvatiri vaapostora vaKristu.

2:7b.1TH.002.007 Asi takanga tiri vanyoro pakati penyu, somureri kana achivaraidza vana vake;

2:8b.1TH.002.008 saizvozvo takakushuvai kwazvo, tikati zvakanaka kuti tirege kugovana nemi Evhangeri yaMwari bedzi, asi kunyange nemweya yedu vo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo.

2:9b.1TH.002.009 Nokuti, hama dzangu, munorangarira kutambudzika nokurwa kwedu; taibata vusiku namasikati, kuti tirege kuremedza mumwe wenyu, tikakuparidzirai Evhangeri yaMwari.

2:10b.1TH.002.010 Imi muri zvapupu, naMwari vo, kuti taifamba novutsvene nokururama, tisina chatingapomerwa kwamuri, imi vanotenda.

2:11b.1TH.002.011 Sezvamunoziva, kuti takaita nemi, mumwe nomumwe wenyu, sababa vanoita navana vavo,

2:12b.1TH.002.012 tichikurairai, tichikusimbisai, tichikupupurirai, kuti mufambe zvakafanira Mwari, iye unokudanirai kuvushe bwake nokubwinya kwake.

2:13b.1TH.002.013 Saka isu vo tinoramba tichivonga Mwari, kuti panguva yamakagamuchira shoko, iro shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko ravanhu, asi seshoko raMwari, (riri iro zvirokwazvo) rinobata vo mukati menyu, imi munotenda.

2:14b.1TH.002.014 Nokuti imi, hama dzangu, makava vateveri vekereke dzaMwari dziri muJudhiya munaKristu Jesu; nokuti nemi vo makatambudzwa saizvozvo novokwenyu, sezvavakatambudzwa ivo navaJudha,

2:15b.1TH.002.015 Ndivo vakavuraya Ishe Jesu navaporofita, vakatidzinga isu, vasingafadzi Mwari, vachirwa navanhu vose.

2:16b.1TH.002.016 vanotidzivisa kuti tirege kuparidzira vahedheni, kuti vaponeswe; kuti varambe vachizadzisa zvivi zvavo; asi kutsamwa kwakaburukira pamusoro pavo kusvikira pakuguma. Pauro unoda zvikuru kuvona vaTesaronika zve

2:17b.1TH.002.017 Zvino isu, hama dzangu, zvatakaparadzaniswa nemi chinguva chiduku pamuviri, pasati pari pamoyo, takashingairira zvikuru nokushuva kukuru kuti tivonane nemi pachiso;

2:18b.1TH.002.018 naizvozvo taida kuvuya kwamuri, ini Pauro, kamwe vuye zve rwechipiri, asi Satani wakatidzivisa.

2:19b.1TH.002.019 Nokuti tariro yedu ndeipiko, kana mufaro, kana korona yokuzvirumbidza nayo? Hamuzimi here, pamberi paShe wedu Jesu Kristu pakuvuya kwake?

2:20b.1TH.002.020 Nokuti imi muri kubwinya kwedu nomufaro wedu.

3

3:1b.1TH.003.001 Saka zvatakanga tisingagoni kutsunga, takati zvakanaka kuti tisiyiwe tiri toga paAtene;

3:2b.1TH.003.002 tikatuma Timotio, hama yedu, mushumiri waMwari paEvhangeri yaKristu, kuti akusimbisei, nokukutsungisai moyo pakutenda kwenyu;

3:3b.1TH.003.003 kuti kurege kuva nomunhu unozununguswa nenhamo idzi, nokuti munoziva mumene kuti takagadzirirwa izvozvo.

3:4b.1TH.003.004 Nokuti tichiri kwamuri takambokuvudzai kuti tichatambudzwa; sezvazvakaitika, nemi munoziva.

3:5b.1TH.003.005 Saka ini vo, zvandakanga ndisichagoni kutsunga, ndakamutuma kuti ndizive kutenda kwenyu, ndichiti zvimwe muidzi wakakuidzai, izvo zvatakabata zvikava pasina.

3:6b.1TH.003.006 Asi zvino Timotio wakati asvika kwatiri achangobva kwamuri, akativudza mashoko akanaka okutenda kwenyu norudo rwenyu, vuye kuti munongositifunga nomurangariro wakanaka, muchida zvikuru kutivona isu, sesu vo tichida kukuvonai imi;

3:7b.1TH.003.007 saka, hama dzangu, takanyaradzwa pamusoro penyu pakutambudzika kwedu kwose nenhamo nokutenda kwenyu;

3:8b.1TH.003.008 nokuti zvino isu tinorarama, kana imi mumire makasimba munaShe.

3:9b.1TH.003.009 Nokuti tingavonga Mwari neiko pamusoro penyu nomufaro wose watinofara nawo pamberi paMwari wedu nokuda kwenyu,

3:10b.1TH.003.010 tichingokumbira zvikuru vusiku namasikati kuti tivone chiso chenyu, kuti tizadzise zvakataira pakutenda kwenyu?

3:11b.1TH.003.011 Zvino iye Mwari, Baba vedu naShe wedu Jesu, ngaaruramisire nzira yedu kwamuri;

3:12b.1TH.003.012 ishe akukurisei, akuwanzirei rudo pakati penyu nokunavose, sezvatinoita isu kwamuri,

3:13b.1TH.003.013 asimbise moyo yenyu kuti ive isina chaingapomerwa pavutsvene pamberi paMwari, Baba vedu, pakuvuya kwaShe wedu Jesu pamwe chete navatsvene vake vose.

4

4:1b.1TH.004.001 Naizvozvo pakupedzisira, hama dzangu, tinokumbira kwamuri, nokukurairai munaShe Jesu, kuti, sezvamakadzidza kwatiri mutovo wamunofanira kufamba nokufadza Mwari nawo, sezvamunofamba vo, kuti muwanze nokuwanzisisa panaizvozvo.

4:2b.1TH.004.002 Nokuti munoziva mirairo yatakakupai, naShe Jesu.

4:3b.1TH.004.003 Nokuti kuda kwaMwari ndibwo vutsvene bwenyu, murege vupombwe;

4:4b.1TH.004.004 kuti mumwe nomumwe wenyu azive kuzviwanira mudziyo wake novutsvene nokukudzwa,

4:5b.1TH.004.005 asingaiti nokukara kwokuchiva, savahedheni, vasingazivi Mwari;

4:6b.1TH.004.006 munhu ngaarege kuitira hama yake zvakaipa kana kumunyengera pachinhu ichi, nokuti Ishe ndiye mutsivi wezvinhu izvozvo zvose, sezvatakakuvudzai vo nokukupupurirai kwazvo.

4:7b.1TH.004.007 Nokuti Mwari haana kutidanira tsvina, asi muvutsvene.

4:8b.1TH.004.008 Naizvozvo unoramba izvozvo, haarambi munhu, asi Mwari, unokupai Mweya wake, iwo Mutsvene.

4:9b.1TH.004.009 Zvino, kana ruri rudo pakati pehama, hamufaniri kuti munyorerwe, nokuti imi mumene makadzidziswa naMwari kuti mudane;

4:10b.1TH.004.010 nokuti ndizvovo zvamunoitira hama dzose dzeMakedhonia, yose asi tinokurairai, hama dzangu, kuti muwanze nokuwanzisisa panaizvozvi;

4:11b.1TH.004.011 Shingairirai kuva norugare, mumwe nomumwe abate zvake, muchibate basa namavoko enyu, sezvatakakurairai;

4:12b.1TH.004.012 kuti mufambe nomutovo wakafanira kuna vari kunze, musingashaiwi chinhu. Kumuka kwavakafa nokudzoka kwaKristu

4:13b.1TH.004.013 Zvino, hama dzangu, hatidi kuti mushaiwe kuziva pamusoro pavavete, kuti murege kuchema savamwe vasinetariro.

4:14b.1TH.004.014 Nokuti kana tichitenda kuti Jesu wakafa, akamuka zve, saizvozvo vo avo vakavata munaJesu, Mwari uchavavuyisa pamwe chete naye.

4:15b.1TH.004.015 Nokuti tinokuvudzai neshoko raShe, kuti isu vapenyu, vakasara kusvikira pakuvuya kwaShe, hatingatongotangiri vakavata.

4:16b.1TH.004.016 Nokuti Ishe amene uchaburuka kudenga nokudanidzira, nenzwi romutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; vakafa munaKristu vachatanga kumuka;

4:17b.1TH.004.017 zvino isu vapenyu, vakasara, tichatorwa pamwe chete navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mudenga; naizvozvo tichava naShe nguva dzose.

4:18b.1TH.004.018 Naizvozvo nyaradzanai namashoko awa.

5

5:1b.1TH.005.001 Asi kana dziri nguva nemisi, hama dzangu, hamufaniri henyu kuti munyorerwe chinhu;

5:2b.1TH.005.002 nokuti imi mumene munoziva kwazvo, kuti zuva raShe rinosvika sembavha vusiku.

5:3b.1TH.005.003 Kana vachiti, Rugare, nokugarika ipapo kuparadzwa kuchakurumidza kuvawira, sokurwadzwa kwomukadzi unemimba; havangatongopukunyuki.

5:4b.1TH.005.004 Asi imi, hama dzangu, hamuzi murima, kuti zuva iro rikubatei sembavha.

5:5b.1TH.005.005 Nokuti imi mose muri vana vechiedza, navana vamasikati; hatizi vovusiku, kana verima.

5:6b.1TH.005.006 Naizvozvo ngatirege kuvata savamwe, asi tirinde, tisvinure.

5:7b.1TH.005.007 Nokuti vanovata, vanovata vusiku; vanobatwa nedoro, vanobatwa vusiku.

5:8b.1TH.005.008 Asi isu, zvatiri vamasikati, ngatisvinuke, takapfeka chidzitiro chechifuva chokutenda norudo; nengowani ive tariro yoruponeso.

5:9b.1TH.005.009 Nokuti Mwari haana kutiisira kutsamwa, asi kuti tiwane ruponeso naShe wedu Jesu Kristu,

5:10b.1TH.005.010 wakatifira isu, kuti, kana tichirinda, kana tichivata, tirarame pamwe chete naye.

5:11b.1TH.005.011 Saka nyaradzanai, musimbisane, sezvamunoita. Kunyevera kwokupedzisira nokuwonekana

5:12b.1TH.005.012 Zvino tinokumbira kwamuri, hama dzangu, kuti muzive avo vanobata pakati penyu, vanokutungamirirai munaShe, vanokurairai;

5:13b.1TH.005.013 muvakudze zvikuru norudo, nokuda kwebasa ravo. Ivai norugare pakati penyu.

5:14b.1TH.005.014 Tinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, kuti muraire vasingatereri murairo, musimbise vanopera moyo, mutsigire vasinesimba, muve nomoyo murefu kunavose.

5:15b.1TH.005.015 Chenjerai kuti mumwe arege kutsiva mumwe zvakaipa nezvakaipa; asi nguva dzose mutevere zvinhu zvakanaka, mumwe kuno mumwe, nokunavose.

5:16b.1TH.005.016 Farai nguva dzose.

5:17b.1TH.005.017 Rambai muchinyengetera.

5:18b.1TH.005.018 Vongai pazvinhu zvose; nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri munaKristu Jesu.

5:19b.1TH.005.019 Musadzima Mweya;

5:20b.1TH.005.020 musazvidza zvinoprofitwa;

5:21b.1TH.005.021 idzai zvinhu zvose; mubatisise zvakanaka;

5:22b.1TH.005.022 regai marudzi ose ezvakaipa.

5:23b.1TH.005.023 Mwari worugare amene ngaakuitei vatsvene kwazvo; Mweya wenyu, nomoyo, nomuviri, zvichengetwe kwazvo, zvisina zvazvingapomerwa pakuvuya kwaShe wedu Jesu Kristu.

5:24b.1TH.005.024 wakatendeka ndiye unokudanai, uchazviita vo.

5:25b.1TH.005.025 Hama dzangu tinyengetererei.

5:26b.1TH.005.026 Kwazisai hama dzose nokusveta kutsvene.

5:27b.1TH.005.027 Ndinokupikirai naShe, kuti mwadhi iyi iverengerwe hama tsvene dzose.

5:28b.1TH.005.028 Nyasha dzaShe wedu Jesu ngadzive nemi.


Holder of rights
Multilingual Bible Corpus

Citation Suggestion for this Object
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. 1 Thessalonians (Shona). 1 Thessalonians (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5F0-A