Colossians (Shona)

Colossians (Shona)

1

1:1b.COL.001.001 Pauro, muapostora waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimotio, hama yedu,

1:2b.COL.001.002 kuvatsvene nehama dzakatendeka munaKristu vari paKorose: Nyasha ngadzive nemi, norugare zvinobva kunaMwari, Baba vedu. Kuvonga kwaPauro pamusoro pavo

1:3b.COL.001.003 Tinovonga Mwari, Baba vaShe wedu Jesu Kristu, nguva dzose kana tichikunyengetererai,

1:4b.COL.001.004 zvatakanzwa zvokutenda kwenyu munaKristu Jesu, norudo rwamunarwo kuvatsvene vose,

1:5b.COL.001.005 pamusoro petariro yamakachengeterwa kudenga, yamakanzwa kare pashoko rezvokwadi reEvhangeri;

1:6b.COL.001.006 iyo yakasvika kwamuri, sezvayakasvika panyika yose vo; ichibereka zvibereko, ichikura, sezvainoita kwamuri vo, kubvira pazuva ramakanzwa nokuziva kwazvo nyasha dzaMwari muzvokwadi;

1:7b.COL.001.007 sezvamakadzidza kunaEpafrasi, muranda pamwe chete nesu, unodikanwa, mushumiri wakatendeka waKristu nokuda kwenyu,

1:8b.COL.001.008 iye wakativudza vo zvorudo rwenyu muMweya. Pauro unovanyengeterera

1:9b.COL.001.009 Saka nesu vo, kubvira pazuva ratakanzwa, hatiregi kukunyengetererai, nokukumbira kuti muzadziswe nokuziva kwazvo kuda kwake, pakuchenjera nokunzwisisa kwose kwomeya;

1:10b.COL.001.010 kuti mufambe sezvinofanira Ishe, muchimufadza pazvose, muchibereka zvibereko pamabasa ose akanaka, muchikura pakuziva Mwari kwazvo;

1:11b.COL.001.011 muchisimbiswa nesimba rose, nesimba rokubwinya kwake, muve nomoyo murefu, nomufaro;

1:12b.COL.001.012 muvonge Baba, vakatikwanisa kuti tipiwe nhaka yavatsvene muchiedza.

1:13b.COL.001.013 vakatisunungura pasimba rerima, vakatiisa muvushe bwoMwanakomana worudo rwavo;

1:14b.COL.001.014 watinedzikinuro maari, ndiko kukanganwirwa kwezvivi zvedu.

1:15b.COL.001.015 Ndiye mufananidzo waMwari usingavonekwi, dangwe rezvisikwa zvose;

1:16b.COL.001.016 nokuti maari zvinhu zvose zvakasikwa, zviri kudenga napanyika, zvinovonekwa nezvisingavonekwi, kana zviri zvigaro zvovushe kana vushe, kana vabati, kana masimba; zvinhu zvose zvakasikwa naye, zviripo nokuda kwake.

1:17b.COL.001.017 Ndiye unotangira zvose, zvose zvakabatana maari.

1:18b.COL.001.018 Ndiye musoro womuviri, ndiyo kereke; ndiye wokutanga, dangwe ravakamuka kuvakafa; kuti iye ave mukuru pazvinhu zvose.

1:19b.COL.001.019 Nokuti Baba vakafara nazvo, kuti kuzara kwose kugare maari,

1:20b.COL.001.020 kuti naye ayananise zvinhu zvose kwaari, amboita rugare neropa romuchinjikwa wake; naiye, kunyange zviri panyika, kunyange zviri kudenga.

1:21b.COL.001.021 Nemi vo, kare maiva vaeni navavengi pakufunga kwenyu pamabasa enyu akaipa,

1:22b.COL.001.022 asi zino wakakuyananisai pamuviri wenyama yake, nokufa kwake, kuti akuisei pamberi pake muri vatsene, musinemhosa, musingapomerwi,

1:23b.COL.001.023 kana muchingorambira pakutenda, makateyiwa, mumire makasimba, musingabviswi patariro yeEvhangeri yamakanzwa, yakaparidzirwa zvisikwa zvose pasi pokudenga; iyo Evhangeri yandakaitwa mushumiri wayo, ini Pauro. Kutambudzika kwaPauro pamusoro pavo

1:24b.COL.001.024 Zvino ndinofara pakutambudzika kwangu nokuda kwenyu, ndichizadzisa panyama yangu zvakasara pamadambudziko aKristu, nokuda kwomuviri wake, iyo kereke;

1:25b.COL.001.025 iyo yandakaitwa mushumiri wayo sezvandakagoverwa naMwari pamusoro penyu, kuti ndizadzise shoko raMwari;

1:26b.COL.001.026 ndicho chakavanzika, chakanga chakafukidzwa kubvira pakutanga kwenguva nendudzi, asi zvino chakaratidzwa vatsvene vake;

1:27b.COL.001.027 kunaivo Mwari waakada kuvazivisa vufumi bwokubwinya kwechakavanzika ichochi pakati pavahedheni, chokuti, Kristu mukati menyu, tariro yokubwinya;

1:28b.COL.001.028 iye watinoparidza isu, tichiraira munhu mumwe nomumwe, tichidzidzisa munhu mumwe nomumwe novuchenjeri bwose, kuti tiise munhu mumwe nomumwe akakwana munaKristu;

1:29b.COL.001.029 ndizvo zvandinobatiravo, ndichirwa, zvichiitwa nokubata kwake kunobata mukati mangu nesimba.

2

2:1b.COL.002.001 Nokuti ndinoda kuti muzive kurwa kukuru kwandinako pamusoro penyu, navari paRaodikia, navose vasina kumbovona chiso changu panyama;

2:2b.COL.002.002 kuti moyo yavo isimbiswe, vasunganidzwe murudo, vave nefuma yose yokunzwisisa kwakakwana, kuti vazive kwazvo chakavanzika chaMwari, iye Kristu;

2:3b.COL.002.003 maari fuma yose yovuchenjeri nokuziva yakachengetwa.

2:4b.COL.002.004 Ndinoreva izvi, kuti kurege kuva nomunhu unokurashai namashoko anonyengera.

2:5b.COL.002.005 Nokuti kunyange ndisipo panyama, ndiripo nemi pamweya, ndinofara ndichivona kunzwana kwenyu, nokusimba kwokutenda kwenyu munaKristu. Unovanyevera kuti varege kutsauswa

2:6b.COL.002.006 Naizvozvo sezvamakagamuchira Kristu Jesu, Ishe, fambai maari,

2:7b.COL.002.007 munemidzi yenyu nokuvakwa kwenyu maari, makasimbiswa pakutenda, sezvamakadzidziswa, muchinyanya kuvonga.

2:8b.COL.002.008 Chenjerai, kuti murege kutapwa nomunhu novuchenjeri, nokunyengera kusinamaturo, achitevera tsika dzavanhu nezvokuvamba zvenyika, asingateveri Kristu.

2:9b.COL.002.009 Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara maari pamuviri.

2:10b.COL.002.010 Maari nemi vo makazadzwa, iye musoro wa vabati vose namasimba;

2:11b.COL.002.011 iye wamakadzingiswa vo maari nokudzingiswa kusingaitwi namavoko, muviri wenyama uchibviswa, nokudzingiswa kuri kwaKristu;;

2:12b.COL.002.012 maakavigwa pamwe chete naye pakubhabhatidzwa, pamakamutswa vo pamwe chete naye nokutenda kwenyu simba raMwari wakamumutsa kuvakafa.

2:13b.COL.002.013 Nemi, imi makanga makafa pakudarika kwenyu napakusa dzingiswa kwenyama yenyu, wakakupai vupenyu pamwe chete naye, akatikanganwira kudarika kwedu kwose,

2:14b.COL.002.014 akadzima rugwaro rwakanga ruchirwa nesu pazvirevo zvarwo, ruchipesana nesu; akarubvisa irwo pakati pedu, akarurovera pamuchinjikwa;

2:15b.COL.002.015 akaparadza vabati namasimba, akavabudisa pachena, akavakunda mauri.

2:16b.COL.002.016 Naizvozvo munhu ngaarege kuvapo unokutongai pazvokudya, kana zvokunwa, kana nokuda kwomusi womutambo, kana pakugara kwomwedzi, kana pasabata;

2:17b.COL.002.017 izvi mumvuri wezvichavuya; asi muviri ndowaKristu.

2:18b.COL.002.018 Munhu ngaarege kuvapo unokutorerai mubairo wenyu namavune, nokuzvininipisa nokunamata vatumwa, achivimba nezvaakavona, achizvikudza pasina nokufunga kwenyama,

2:19b.COL.002.019 asingabatisisi Musoro, uyo, maari muviri wose unosanganiswa nokusunganidzwa nezvisungo namarunda, ndokukura nokukurisa kwaMwari.

2:20b.COL.002.020 Zvino kana makafa pamwe chete naKristu kunezvokuvamba zvenyika, munozviisireiko pasi pemirairo, somugere munyika,

2:21b.COL.002.021 mirairo inoti: Usabata, usaravira, usagunzva,

2:22b.COL.002.022 (izvi zvose zvinofanira kuparadzwa kana zvobatwa nazvo); muchitevera mirairo nedzidziso dzavanhu?

2:23b.COL.002.023 Zvinhu zvakadai zvakaita sezvinovuchenjeri, pakunamata Mwari nokuda kwavo, nokuzvininipisa, nokutambudza muviri; asi hazvinesimba rokukunda kuchiva kwenyama.

3

3:1b.COL.003.001 Naizvozvo, kana makamutswa pamwe chete naKristu, tsvakai zviri kumusoro, uko kunaKristu, ugere kurudyi rwaMwari.

3:2b.COL.003.002 Fungai zviri kumusoro, musafunga zviri pasi.

3:3b.COL.003.003 Nokuti makafa, vupenyu bwenyu bwakavigwa pamwe chete naKristu munaMwari.

3:4b.COL.003.004 Kana Kristu, iye vupenyu bwedu, achivonekwa, nemi vo muchavonekwa pamwe chete naye pakubwinya.

3:5b.COL.003.005 Naizvozvo vurayai mitezo yenyu iri panyika, inoti: Vupombwe, netsvina, nokushumba, nokuda zvakaipa, nokuchiva, ndiko kunamata zvifananidzo.

3:6b.COL.003.006 Nokuda kwaizvozvi kutsamwa kwaMwari kunovuya pamusoro pavana vokusaterera;

3:7b.COL.003.007 nemi vo maifamba mazviri kare, maigara muzvinhu izvi.

3:8b.COL.003.008 Asi zvino, imi vo, bvisai izvi zvose, zvinoti: Hasha, nokutsamwa, nokuvenga, nokutuka, nokutaura zvinonyadzisa nomuromo wenyu.

3:9b.COL.003.009 Regai kureverana nhema, zvamakabvisa munhu wekare, namabasa ake,

3:10b.COL.003.010 mukafuka munhu mutsva, unovandudzwa pakuziva, afanane nowakamusika;

3:11b.COL.003.011 apo hapana muGiriki nemuJudha, kudzingiswa kana kusadzingiswa, mutorwa kana muSitia, musungwa kana wakasununguka;asi Kristu ndiye zvose, vuye uri munavose.

3:12b.COL.003.012 Naizvozvo, savasanangurwa vaMwari, vatsvene navanodikanwa, fukai moyo unetsitsi, nomoyo munyoro, nokusazvikudza, novunyoro, nomoyo murefu;

3:13b.COL.003.013 muitirane moyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu anemhosva nomumwe; Kristu sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemi vo.

3:14b.COL.003.014 Zvino pamusoro pezvinhu izvi zvose fukai rudo, ndicho chisungo chinokwanisa.

3:15b.COL.003.015 Norugare rwaMwari ngaruteme zvirevo mumoyo yenyu, ndirwo rwamakadanirwa vo mumuviri mumwe; ivai nokuvonga.

3:16b.COL.003.016 Shoko raKristu ngarigare mukati menyu riwande; nokuchenjera kwose mudzidzisane, nokurairana namapisarema, nenziyo, nezviimbo zvomweya, muimbire Mwari nenyasha mumoyo menyu;

3:17b.COL.003.017 vuye zvose zvamunoita, kana zviri zveshoko kana basa, itai zvose nezita raShe Jesu, muchivonga Mwari Baba naye. Vakristu mumba mavo

3:18b.COL.003.018 Vakadzi muzviise pasi pavarume venyu, sezvazvakafanira munaShe.

3:19b.COL.003.019 Varume, idai vakadzi venyu, regai kuva nehasha navo.

3:20b.COL.003.020 Vana, tererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti ndizvo zvakanaka munaShe.

3:21b.COL.003.021 Madzibaba, regai kunetsa vana venyu, kuti varege kuvora moyo.

3:22b.COL.003.022 Varanda, tererai pazvinhu zvose vatenzi venyu panyama; regai kubata pamberi pameso avo, savafadzi vavanhu, asi nomoyo wakarurama muchitya Mwari.

3:23b.COL.003.023 Zvose zvamunoita, muzviitei nomoyo wose, sokunaShe, musingaitiri vanhu;

3:24b.COL.003.024 muchiziva kuti muchapiwa naShe mubairo wenhaka; nokuti munobatira Ishe Kristu.

3:25b.COL.003.025 Nokuti unoita zvisakarurama, uchapiwa zvisakarurama zvaakaita; hazvizi zvinovonekwa zvomunhu zvinotendwa.

4

4:1b.COL.004.001 Madzishe, itirai varanda venyu zvakarurama, zvakaringana; muzive kuti nemi vo munaShe kudenga. Nyengeterai, muchenjere pamufambire wenyu namashoko enyu

4:2b.COL.004.002 Tsungirirai pakunyengetera, murinde pakuri nokuvonga;

4:3b.COL.004.003 mutinyengeterere nesu vo, kuti Mwari atizarurire mukova weshoko, titaure chakavanzika chaKristu, chandakasungirwa icho;

4:4b.COL.004.004 kuti ndichiratidze, sezvandinofanira kutaura.

4:5b.COL.004.005 Fambai nokuchenjera kunavari kunze, muchingwarira nguva. yenyu

4:6b.COL.004.006 Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive kupindura mumwe nomumwe sezvamunofanira kuita. Unotuma Tikiko naOnesimo

4:7b.COL.004.007 Muchaziviswa zvangu zvose naTikiko, hama inodikanwa, mushumiri wakatendeka, nomuranda pamwe chete neni munaShe.

4:8b.COL.004.008 Ndakamutuma iye kwamuri nemhaka iyi, kuti muzive zvedu, anyaradze moyo yenyu;

4:9b.COL.004.009 pamwe chete naOnesimo, hama yakatendeka, inodikanwa, mumwe wokwenyu. Ivo vachakuzivisai zvose zvapano. Kuwonekana

4:10b.COL.004.010 Aristarko, musungwa pamwe chete neni, unokukwazisai, naMarko, hama yaBharnabhasi, (makarairwa pamsoro pake; kana achisvika, mumugamuchirei);

4:11b.COL.004.011 naJesu, unonzi Justo, vari vokudzingiswa; ndivava bedzi vanobata neni pavushe bwaMwari, ivo vakandinyaradza.

4:12b.COL.004.012 Epafrasi, mumwe wokwenyu, muranda waKristu Jesu, unokukwazisai, achirwa nguva dzose pakunyengetera nokuda kwenyu, kuti mumire makakwana, muchiziva kwazvo kuda kwose kwaMwari.

4:13b.COL.004.013 Nokuti ndinomupupurira, kuti unotambudzika zvikuru nokuda kwenyu, naveRaodikia, naveHirapori.

4:14b.COL.004.014 Ruka, chiremba unodikanwa, naDhemasi, vanokukwazisai.

4:15b.COL.004.015 Ndikwazisirei hama dziri Raodikia, naNimfa, nekereke iri mumba mavo.

4:16b.COL.004.016 Kana mwadhi iyi yarabwa pakati penyu, ngairabwe vo mukereke yavaRaodikia; imi vo murave mwadhi inobva Raodikia.

4:17b.COL.004.017 Vudzai Arkipo, muti: Tarira basa rawakapiwa naShe, kuti uripedzise kwazvo.

4:18b.COL.004.018 Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruvoko rwangu. Rangarirai kusungwa kwangu. Nyasha ngadzive nemi.


Holder of rights
Multilingual Bible Corpus

Citation Suggestion for this Object
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Colossians (Shona). Colossians (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5ED-F