Ephesians (Shona)
1
1:1b.EPH.001.001 Pauro, muapostora waKristu Jesu, nokuda kwaMwari, kuvatsvene vari {paEfeso}, nokuna vanotenda munaKristu Jesu:
1:2b.EPH.001.002 Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kunaMwari, Baba vedu, naShe Jesu Kristu. Mikomborero iri munaJesu Kristu, Musoro weKereke
1:3b.EPH.001.003 Ngaavongwe Mwari naBaba vaShe wedu Jesu Kristu, wakatiropafadza nokuropafadza kwose kwoMweya, kudenga munaKristu,
1:4b.EPH.001.004 sezvaakatisanangura maari nyika isati yavambwa, kuti tive vatsvene vasinemhosva pamberi pake murudo;
1:5b.EPH.001.005 akatitemera kare, kuti naJesu Kristu tiitwe vanakomana vake, sezvaakafadzwa pakuda kwake,
1:6b.EPH.001.006 kuti kunaka kukuru kwenyasha dzake dzaakangotipa hake muMudikanwa wake, kurumbidzwe;
1:7b.EPH.001.007 uyo watine dzikinuro maari neropa rake, iko kukanganwirwa kwokudarika kwedu, nokuwanda kwenyasha dzake;
1:8b.EPH.001.008 dzaakawanza kwatiri nokuchenjera kwose nokuziva;
1:9b.EPH.001.009 akatizivisa zvakavanzika zvokuda kwake, sezvaakafadzwa pakufunga kwake maari;
1:10b.EPH.001.010 kuti afambise kuzara kwenguva, avunganidze munaKristu zvose zviri kudenga, nezviri pasi.
1:11b.EPH.001.011 munaiye, watakaitwa vo nhaka maari, yatakatemerwa kare nokuraira kwaiye, unoita zvose nokufunga kwokuda kwake;
1:12b.EPH.001.012 kuti tirumbidze kubwinya kwake, isu takatarira kare kunaKristu;
1:13b.EPH.001.013 munaiye, nemi vo, makanzwa shoko rezvokwadi maari, iyo Evhangeri yokuponeswa kwenyu; munaiye, wamakatenda kwaari, mukaisirwa chisimbiso noMweya Mutsvene wamakapikirwa;
1:14b.EPH.001.014 uri rubatso rwenhaka yedu, kuratidza kudzikinurwa kwavanhu vaMwari chaivo, kuti kubwinya kwake kurumbidzwe.
1:15b.EPH.001.015 Saka neni vo, ndakati ndanzwa kutenda munaShe Jesu kuri pakati penyu, norudo kuvatsvene vose,
1:16b.EPH.001.016 handiregi kuvonga pamusoro penyu, ndichikurangarirai paminyengetero yangu;
1:17b.EPH.001.017 kuti Mwari waShe wedu Jesu Kristu, Baba vokubwinya kukuru, akupei mweya wokuchenjera nowokuzarurirwa pakumuziva;
1:18b.EPH.001.018 Mavhenekerwa meso omoyo wenyu kuti muzive kuti kudana kwake kunetariro yei, nefuma yokubwinya kwenhaka yake pakati pavatsvene.
1:19b.EPH.001.019 novukuru bwakapfuvurisa bwesimba rake kwatiri isu tinotenda, nokubata kwesimba rake guru,
1:20b.EPH.001.020 raakabata munaKristu, achimumutsa kuvakafa, nokumugarisa kurudyi rwake kudenga.,
1:21b.EPH.001.021 kumusoro-soro kwavabati vose, novukuru, nesimba, novushe, namazita ose anorebwa, pasati pari panyika ino bedzi, asi paneinozovuya vo;
1:22b.EPH.001.022 akaisa zvose pasi petsoka dzake, akapa kereke iye, kuti ave musoro wazvose,
1:23b.EPH.001.023 ndiwo muviri wake, kuzara kwaiye unozadzisa zvose munavose.
2
2:1b.EPH.002.001 Wakakuraramisai imi, makanga makafa mukudarika kwenyu nomuzvivi zvenyu,
2:2b.EPH.002.002 izvo zvamaifamba mukati mazvo kare, netsika dzenyika ino, nenzira dzomuchinda wesimba redenga, dzomweya unobata zvino muvana vokusaterera;
2:3b.EPH.002.003 vataifamba tose pakati pavo kare, mukuchiva kwenyama yedu, tichiita kuda kwenyama nokwokufunga kwedu, napakuzvarwa kwedu isu navamwe vose taiva vana vokutsamwirwa.
2:4b.EPH.002.004 Zvino Mwari unenyasha zhinji-zhinji, nokuda kworudo rwake rukuru, rwaakatida narwo,
2:5b.EPH.002.005 kunyange takanga takafa mukudarika kwedu, wakatiraramisa pamwe chete naKristu (makaponeswa nenyasha;
2:6b.EPH.002.006 akatimutsa pamwe naye, akatigarisa kudenga pamwe chete naye, munaKristu Jesu;.
2:7b.EPH.002.007 kuti nenguva dzinovuya aratidze fuma huru huru yenyasha dzake pavunyoro bwake kwatiri munaKristu Jesu;
2:8b.EPH.002.008 nokuti makaponeswa nenyasha, nokutenda; izvo zvisingabvi kwamuri, asi chipo chaMwari;
2:9b.EPH.002.009 hazvibvi pamabasa, kuti kurege kuva nomunhu unozvikudza.
2:10b.EPH.002.010 Nokuti tiri basa rake, takasikwa kuti munaKristu Jesu tiite mabasa akanaka, akagadzirwa kare naMwari kuti tifambe maari. VaJudha navahedheni vakayananiswa munaKristu Jesu
2:11b.EPH.002.011 Naizvozvo rangarirai, kuti imi vahedheni munyama, mainzi vasina kudzingiswa naivo vanonzi vokudzingiswa, kuri munyama, kunoitwa namavoko;
2:12b.EPH.002.012 kuti nenguva iyo makanga musina Kristu, muri vatorwa pavushe bwavaIsraeri, muri vaeni pasungano dzechipikirwa musina tariro, musina Mwari panyika.
2:13b.EPH.002.013 Asi zvino munaKristu Jesu imi, makanga muri kure kare, makaswededzwa muropa raKristu.
2:14b.EPH.002.014 Nokuti ndiye rugare rwedu, iye wakaita zvinhu zviviri kuti chive chinhu chimwe, akaputsa rusvingo rwapakati rwokuparadzanisa;
2:15b.EPH.002.015 zvaakaparadza munyama yake kuvengana, iwo murairo wezvakarairwa pazvirevo; kuti asike ava vaviri vave munhu mutsva maari, aite rugare saizvozvo;
2:16b.EPH.002.016 kuti mumuchinjikwa ayananise zve vose vaviri, vave muviri mumwe kunaMwari, zvaakavuraya kuvengana naiwo muchinjikwa;
2:17b.EPH.002.017 akasvika, akaparidza rugare kwamuri, imi maiva kure, norugare kunaivo vaiva pedo;
2:18b.EPH.002.018 nokuti isu tose tinopinda naiye noMweya mumwe kunaBaba.
2:19b.EPH.002.019 Naizvozvo, hamuzati muchiri vaeni navatorwa, asi vobwo pamwe chete navatsvene, naveimba yaMwari.
2:20b.EPH.002.020 Makavakwa pamusoro penheyo dzavaapostora navaporofita, Kristu Jesu amene ari ibwe rapakona.
2:21b.EPH.002.021 Maari imba yose yakasonganiswa ichikura kuti ive tembere tsvene munaMwari.
2:22b.EPH.002.022 Maari nemi vo makavakwa pamwe chete, kuti muve vugaro bwaMwari muMweya.
3
3:1b.EPH.003.001 Nemhaka iyi, ini Pauro, ndiri musungwa waKristu Jesu nokuda kwenyu, imi vahedheni,
3:2b.EPH.003.002 kana makanzwa henyu kugoverwa kwenyasha dzaMwari dzandakapiwa pamusoro penyu;
3:3b.EPH.003.003 kuti zvakanga zvakavanzika zvakandiziviswa pakuzarurirwa, sezvandakambokunyorerai namashoko mashoma;
3:4b.EPH.003.004 kana muchirava iwo, mungavona kuziva kwangu zvakavanzika zvaKristu;
3:5b.EPH.003.005 zvakanga zvisina kuziviswa vanakomana vavanhu panedzimwe nguva, sezvazvakazarurirwa vaapostora vatsvene, navaporofita zvino muMweya;
3:6b.EPH.003.006 Kuti Vahedheni vave vadyi venhaka pamwe chete nesu, nomuviri mumwe nesu vagovani vechipikirwa chake pamwe chete nesu muna Kristu neEvhangeri
3:7b.EPH.003.007 yandakaitwa mushumiri wayo nechipo chenyasha dzaMwari, chandakapiwa nokubata kwesimba rake.
3:8b.EPH.003.008 Ini, muduku kwazvo kuvatsvene vose, ndakapiwa nyasha idzi, kuti ndiparidzire vahedheni fuma isinganzwerwi yaKristu,
3:9b.EPH.003.009 nokuratidza vose kuti kugoverwa kwakadiniko kwezvakavanzika, zvakanga zvakafukidzwa munaMwari, wakasika zvose, naKristu Jesu kubva panguva yokutanga;
3:10b.EPH.003.010 kuti zvino vabati navanesimba kudenga va ziviswe nekereke kuchenjera kukuru kwaMwari;
3:11b.EPH.003.011 sechirevo chokutanga-tanga chaakatema munaKristu Jesu, Ishe wedu;
3:12b.EPH.003.012 maari tinokutsunga kwedu nokupinda kwedu tisingatyi, nokutenda kwake.
3:13b.EPH.003.013 Saka ndinokumbira kuti murege kupera moyo nokutambudzika kwangu pamusoro penyu; ndiko kukudzwa kwenyu. Pauro unonyengeterera vaEfeso
3:14b.EPH.003.014 Nemhaka iyi ndinofugama namabvi angu kunaBaba, vaShe wedu Jesu Kristu
3:15b.EPH.003.015 avo, rudzi rwose kudenga napanyika runotumidzwa nezita ravo,
3:16b.EPH.003.016 kuti vakupei pafuma yokubwinya kwavo kukuru, simba kuti musimbiswe noMweya wavo mumunhu womukati;
3:17b.EPH.003.017 kuti Kristu agare pamoyo yenyu nokutenda; kuti imi, munemidzi yenyu nenheyo dzenyu murudo;
3:18b.EPH.003.018 muve nesimba rokunzwisisa pamwe chete navatsvene vose, kuti kufara, nokureba, nokukwirira, nokudzika kwakadiniko,
3:19b.EPH.003.019 nokuziva rudo rwaKristu, runopfuvura kuziva, kuti muzadziswe nokuzara kwose kwaMwari.
3:20b.EPH.003.020 Zvino, iye unesimba rokuita zvikuru kwazvo zvinopfuvura zvose zvatinokumbira kana zvatinofunga, nesimba rinobata mukati medu,
3:21b.EPH.003.021 ngaave nokubwinya mukereke munaKristu Jesu, kusvikira kumarudzi ose nokusingaperi-peri, Ameni.
4
4:1b.EPH.004.001 Naizvozvo ini musungwa munaShe, ndinokumbira zvikuru kuti mufambe zvakafanira kudanwa kwamakadanwa nako,
4:2b.EPH.004.002 nokuzvininipisa kwose novunyoro, nomoyo murefu, muchiitirana moyo murefu murudo;
4:3b.EPH.004.003 muchishingaira kuchengeta vumwe bwoMweya muchisungo chorugare.
4:4b.EPH.004.004 Kuno muviri mumwe, noMweya mumwe, sezvamakadanwa vo mutariro imwe yokudanwa kwenyu;
4:5b.EPH.004.005 Ishe mumwe, nokutenda kumwe, norubhabhatidzo rumwe,
4:6b.EPH.004.006 naMwari mumwe, naBaba vavose, uri pamsoro pavose, unobata navose, uri mukati menyu mose.
4:7b.EPH.004.007 Asi mumwe nomumwe wedu wakapiwa nyasha nechiyero chechipo chaKristu.
4:8b.EPH.004.008 Naizvozvo unoti: Wakakwira kumusoro akatapa vatapwa, Akapa vanhu zvipo,
4:9b.EPH.004.009 (Zvino kuti: Wakakwira, chinyiko, asi kuti, wakaburuka pakutanga vo kumativi ari pasi panyika?
4:10b.EPH.004.010 Wakaburuka ndiye wakakwira vo kumusoro-soro kwedenga rose, kuti azadzise zvose.)
4:11b.EPH.004.011 Zvino wakapa vamwe kuti vave vaapostora, vamwe vaporofita, vamwe vaEvhangeri, vamwe vafudzi navadzidzisi;
4:12b.EPH.004.012 kuti vatsvene vakwanisirwe basa ravo rokushumira, nerokuvaka muviri waKristu;
4:13b.EPH.004.013 kudzimana isu tose tisvike pavumwe bwokutenda nokuziva Mwanakomana waMwari, napamunhu wakura, napachiyero chovukuru bwokuzara kwaKristu;
4:14b.EPH.004.014 kuti tirege kuramba tichingova vacheche, tichizununguswa nokudzingwa nemhepo ipi neipi yokudzidzisa nokunyengera kwavanhu, namano, kuti vatsause nokunyengera;
4:15b.EPH.004.015 asi tireve zvokwadi murudo, tigokura maari pazvose, iye Kristu, Musoro;
4:16b.EPH.004.016 muviri wose wakasonganiswa zvakanaka maari nokubatanidzwa nenhengo dzose dzino simbisa, mutezo mumwe nomumwe uchibata nechiyero chawo, kuti muviri ukuriswe pakuvakwa kwawo murudo. Mufambiro mutsva womuKristu
4:17b.EPH.004.017 Naizvozvo ndinoreva nokupupura chinhu ichi munaShe, ndichiti, musafamba savamwe vahedheni, vanofamba vo novupenzi bwokurangarira kwavo,
4:18b.EPH.004.018 vakasvibirwa pakunzwisisa kwavo, vari vatorwa pavupenyu bwaMwari nokuda kwokusaziva kuri mukati mavo, nokuda kwovukukutu bwomoyo yavo;
4:19b.EPH.004.019 vakazvipa vasine hanya kuvutere, kuti vabate mabasa ose etsvina nokuchiva.
4:20b.EPH.004.020 Asi imi hamuna kudzidza Kristu saizvozvo,
4:21b.EPH.004.021 kana ari iye hake wamakanzwa, nokudzidziswa maari, seiri zvokwadi munaJesu:
4:22b.EPH.004.022 kuti pamufambire wenyu wokutanga mubvise munhu wekare, unovodzwa nokuchiva kwokunyengera;
4:23b.EPH.004.023 muvandudzwe mumweya wokurangarira kwenyu,
4:24b.EPH.004.024 mufuke munhu mutsva, wakasikwa akafanana naMwari pakururama, novutsvene bwezvokwadi.
4:25b.EPH.004.025 Naizvozvo bvisai nhema, mutaure zvokwadi, mumwe nomumwe kuno wokwake; nokuti tiri mitezo, mumwe womumwe.
4:26b.EPH.004.026 Tsamwai, musingatadzi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa;
4:27b.EPH.004.027 musapa Dhiabhorosi nzvimbo.
4:28b.EPH.004.028 Wakaba, ngaarege kuba zve; asi zvirinani kuti atambudzike, abate namavoko ake basa rakanaka, kuti ave nechaangapa unoshaiwa.
4:29b.EPH.004.029 Mumuromo wenyu murege kubuda shoko rakavora, asi rakanaka, ringasimbisa pakafanira, rivigire nyasha avo vanonzwa.
4:30b.EPH.004.030 Regai kuchemedza Mweya Mutsvene waMwari, wamakaisirwa chisimbiso maari kusvikira pazuva rokudzikinurwa.
4:31b.EPH.004.031 Shungu dzose, nokutsamwa, nehasha, nokupopota, nokutuka, nezvakaipa zvose, ngazvibviswe kwamuri;
4:32b.EPH.004.032 muitirane moyo munyoro, munzwirane tsitsi, mukanganwirane, se zvamakakanganwirwa naMwari.
5
5:1b.EPH.005.001 Naizvozvo ivai vateveri vaMwari savana vanodikanwa;
5:2b.EPH.005.002 fambai murudo, Kristu sezvaakakudai vo, akazvipa nokuda kwedu, kuti ave chipo nechibayiro kunaMwari, zviite bwema bwunonhuwira.
5:3b.EPH.005.003 Asi vupombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurebwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene;
5:4b.EPH.005.004 nezvakaipa, nokutaura zvovupenzi, nokunemera, izvo zvisina kufanira; asi zvirinani kuvonga.
5:5b.EPH.005.005 Nokuti munoziva kwazvo, kuti hakune mhombwe, kana munhu unetsvina, kana unochiva, ndiye unonamata zvifananidzo, ungadya nhaka muvushe bwaKristu nobwaMwari.
5:6b.EPH.005.006 Ngakurege kuva nomunhu unokunyengerai namashoko asinamaturo; nokuti nemhaka yezvinhu izvi kutsamwa kwaMwari kunovuya pamusoro pavanakomana vokusaterera.
5:7b.EPH.005.007 Naizvozvo regai kushamwaridzana navo;
5:8b.EPH.005.008 nokuti kare maiva rima, asi zvino muri chiedza munaShe; fambai savana vechiedza.
5:9b.EPH.005.009 (Nokuti chibereko chemweya chiri mukunaka kwose, nokururama, nezvokwadi),
5:10b.EPH.005.010 muchiidza kuti ndezvipi zvinofadza Ishe.
5:11b.EPH.005.011 Regai kuyanana namabasa erima asine zvibereko, asi zvirinani kuti muraire;
5:12b.EPH.005.012 nokuti izvo, zvinoitwa navo pakavanda, zvinonyadza kana zvichirebwa.
5:13b.EPH.005.013 Asi zvinhu zvose, kana zvarairwa, zvinoratidzwa nechiedza; nokuti zvose, zvinoratidzwa, chava chiedza.
5:14b.EPH.005.014 Saka iye unoti: Muka iwe uvete, muka kuvakafa, Kristu uchakuvhenekera.
5:15b.EPH.005.015 Naizvozvo chenjerai kwazvo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba savasina kuchenjera asi savakachenjera;
5:16b.EPH.005.016 mungwarire nguva yenyu, nokuti mazuva akaipa.
5:17b.EPH.005.017 Saka musava mapenzi, asi muzive kuda kwaShe.
5:18b.EPH.005.018 Regai kubatwa newaini, nokuti ndipo pano kusazvidzora, asi muzadzwe noMweya;
5:19b.EPH.005.019 mutaurirane pakati penyu namapisarema, nenziyo, nezviimbo zvoMweya, muimbire, muridzire Ishe mumoyo yenyu;
5:20b.EPH.005.020 muchivonga Mwari, Baba, nguva dzose pamusoro pezvinhu zvose, muzita raShe wedu, Jesu Kristu;
5:21b.EPH.005.021 muchizviisa mumwe pasi pomumwe, muchitya Mwari. VaKristu mumba mavo
5:22b.EPH.005.022 Imi vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu chaivo, sezvamunoita kunaShe.
5:23b.EPH.005.023 Nokuti murume musoro womukadzi, saKristuvo musoro wekereke; iye amene ndiye muponesi womuviri.
5:24b.EPH.005.024 Asi kereke sezvairi pasi paKristu, vakadzi ngavadaro pazvinhu zvose kuvarume vavo.
5:25b.EPH.005.025 Imi varume, idai vakadzi venyu, Kristu sezvaakadavo kereke, akazvipa nokuda kwayo;
5:26b.EPH.005.026 kuti aiite tsvene achiinatsa nokushambidza kwemvura pashoko,
5:27b.EPH.005.027 kuti azviisire pamberi pake kereke, inobwinya, isinegwapa, kana kuwonyana, kana chinhu chakadai; asi ive tsvene, isinemhosva.
5:28b.EPH.005.028 Saizvozvo vo varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. Unoda mukadzi wake, unozvida;
5:29b.EPH.005.029 nokuti hakuno munhu wakatongovenga nyama yake; asi unoipa zvokudya nokuichengeta, Kristu sezvaanoitira kereke;
5:30b.EPH.005.030 nokuti isu tiri mitezo yomuviri wake, yenyama yake neyamafupa ake.
5:31b.EPH.005.031 Naizvozvo munhu uchasiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake; ivavo vaviri vachava nyama imwe.
5:32b.EPH.005.032 Chakavanzika ichi, chikuru, asi ndinotaura zvaKristu nezvekereke.
5:33b.EPH.005.033 Asi imivo, mumwe nomumwe ngaade mukadzi wake sezvaanozvida iye; nomukadzi ngaatye murume wake.
6
6:1b.EPH.006.001 Imi vana, tererai vabereki venyu munaShe; nokuti ndizvo zvakarurama.
6:2b.EPH.006.002 Kudza baba vako namai ndiwo murairo wokutanga unechipikirwa
6:3b.EPH.006.003 kuti uitirwe zvakanaka, ugare nguva refu panyika.
6:4b.EPH.006.004 Nemi madzibaba, regai kutsamwisa vana venyu; asi varerei pakuranga nokuraira kwaShe.
6:5b.EPH.006.005 Imi varanda, tererai avo vari vatenzi venyu panyama, nokutya nokudedera, nemoyo yakarurama, muchizviita sokunaKristu;
6:6b.EPH.006.006 musingabati kana muchivonekwa bedzi, savafadzi vavanhu, asi savaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari nomoyo wose;
6:7b.EPH.006.007 muchibata nomoyo wakanaka, muchizviita sokunaShe, musingaitiri vanhu;
6:8b.EPH.006.008 muchiziva kuti chinhu chipi nechipi chakanaka, chinoitwa nomunhu mumwe nomumwe, uchachipiwa zve naShe, kana akasungwa kana akasununguka.
6:9b.EPH.006.009 Nemi madzishe, muvaitire saizvozvo, murege kuvatyisa; nokuti munoziva kuti Ishe wavo nowenyu uri kudenga; haatendi zvinovonekwa zvomunhu. Nhumbi dzomukristu dzokurwa nadzo
6:10b.EPH.006.010 Pakupedzisira hama dzangu,ivai nesimba munaShe, nomusimba rake guru.
6:11b.EPH.006.011 Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, mugone kumira muchirwa namano aDhiabhorosi.
6:12b.EPH.006.012 Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navanesimba, namadzishe enyika erima rino, nemweya yakaipa yedenga.
6:13b.EPH.006.013 Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti mugone kudzivisa pazuva rakaipa, nokuramba mumire mapedza zvose.
6:14b.EPH.006.014 Naizvozvo mirai makasunga zvivuno zvenyu nezvokwadi, makapfeka chidzitiro chechifuva chokururama,
6:15b.EPH.006.015 makasunga patsoka dzenyu kugadzirwa kweEvhangeri yorugare;
6:16b.EPH.006.016 pamusoro paizvozvi makatora nhovo huru yokutenda, yamungagona kudzima nayo miseve yose yomoto yowakaipa.
6:17b.EPH.006.017 Torai ngowani yoruponeso, nomunondo woMweya, iro Shoko raMwari;
6:18b.EPH.006.018 munyengetere nguva dzose nokunyengetera kwose nokukumbira muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nokutsunga kwose nokukumbirira vatsvene vose.
6:19b.EPH.006.019 neni vo, kuti ndipiwe shoko kana ndichishamisa muromo wangu, kuti ndidudzire ndisingatyi zvakavanzika zveEvhangeri,
6:20b.EPH.006.020 yandiri nhume yayo yakasungwa namatare; kuti ndizvitaure ndisingatyi, sezvandinofanira kutaura. Mashoko okupedzisira
6:21b.EPH.006.021 Zvino kuti muzive vo zvangu, kuti ndakadiniko, Tikiko, hama inodikanwa, nomushumiri wakatendeka munaShe, uchakuzivisai zvose;
6:22b.EPH.006.022 ndakamutuma kwamuri neshoko iri, kuti muzive zvinhu zvedu, anyaradze moyo yenyu.
6:23b.EPH.006.023 Rugare ngaruve nehama, norudo pamwe chete nokutenda, zvinobva kunaMwari, Baba,naShe Jesu Kristu,
6:24b.EPH.006.024 Nyasha ngadzive navose vanoda Ishe wedu, Jesu Kristu, norudo rusingavori.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Ephesians (Shona). Ephesians (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5E7-5