Galatians (Shona)
1
1:1b.GAL.001.001 Pauro, muapostora,usina kubva kuvanhu, kana kutumwa nomunhu, asi naJesu Kristu, naMwari Baba, wakamumutsa kuvakafa),
1:2b.GAL.001.002 nehama dzose dziri kwandiri, kukereke dzeGaratia:
1:3b.GAL.001.003 Nyasha norugare ngazvive nemi, zvinobva kunaMwari, Baba vedu, naShe Jesu Kristu,
1:4b.GAL.001.004 wakazvipa nokuda kwezvivi zvedu, kuti atisunungure kunyika yakaipa yazvino, nokuda kwaMwari, Baba vedu;
1:5b.GAL.001.005 ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni. Pauro unosimbisa vuapostora bwake
1:6b.GAL.001.006 Ndinoshamiswa kuti munokurumidza mukadai kushandukira uyo wakakudanai munyasha dzaKristu, kuti mutsaukire kune imwe evhangeri;
1:7b.GAL.001.007 isati iri imwe hayo; asi kuti vamwe varipo vanokukanganisai, vachida kushandura Evhangeri yaKristu.
1:8b.GAL.001.008 Asi kunyange isu, kana mutumwa unobva kudenga, akakuparidzirai imwe Evhangeri, inopesana neyatinokuparidzirai isu, ngaave wakatukwa.
1:9b.GAL.001.009 Sezvatakamboreva, zvino ndinoreva zve saizvozvo: Kana kunomunhu unokuparidzirai imwe Evhangeri, inopesana naiyo yamakagamuchira, ngaave wakatukwa.
1:10b.GAL.001.010 Nokuti zvino ndinoita vushamwari navanhu here, kana naMwari? Kana ndinotsvaka kufadza vanhu here? Kana ndaifadza vanhu nazvino, handizaiva muranda waKristu.
1:11b.GAL.001.011 Nokuti ndinokuzivisai, hama dzangu, kuti Evhangeri yakaparidzwa neni, haina kuita seyavanhu.
1:12b.GAL.001.012 Nokuti handina kuipiwa kana kuidzidziswa nomunhu, asi ndakairatidzwa naJesu Kristu.
1:13b.GAL.001.013 Nokuti makanzwa zvomufambire wangu kare pakunamata kwavaJudha, kuti ndaitambudza kereke yaMwari zvikuru kwazvo, ndikaiparadza;
1:14b.GAL.001.014 pakunamata kwavaJudha ndaipfuvura vazhinji vezero rangu parudzi rwangu, ndichinyanya kushingairira tsika dzamadzibaba angu.
1:15b.GAL.001.015 Zvino Mwari, akati afadzwa nazvo, iye wakandisanangura kubva padumbu ramai vangu, akandidana nenyasha dzake.
1:16b.GAL.001.016 kuti aratidze Mwanakomana wake mandiri, ndimuparidze pakati pavahedheni, pakarepo handina kurangana nenyama neropa.
1:17b.GAL.001.017 handina kukwira Jerusarema kunaavo vakanditangira kuva vaapostra, asi ndakaenda ArAbhiya, ndikadzokera Dhamaseko zve.
1:18b.GAL.001.018 Ipapo, makore matatu akati apfuvura, ndikakwira Jerusarema kundovona Kefasi, ndikagara naye mazuva anegumi namashanu.
1:19b.GAL.001.019 Asi handina kuvona mumwe wavaapostora, asi Jakobho bedzi, munununa waShe.
1:20b.GAL.001.020 Izvi zvandinokunyorerai, tarirai, pamberi paMwari handirevi nhema.
1:21b.GAL.001.021 Ipapo ndakasvika kunyika dzeSiria neKirikia.
1:22b.GAL.001.022 Asi ndakanga ndisingazikanwi pachiso nekereke dzeJudhea dziri munaKristu.
1:23b.GAL.001.023 asi vakanga vanzwa bedzi, kuti uya, waititambudza kare, zvino woparidza kutenda kwaaiparadza kare;
1:24b.GAL.001.024 vakarumbidza Mwari mandiri.
2
2:1b.GAL.002.001 Zvino, makore anegumi namana akati apfuvura, ndakakwira zveJerusarema naBharnabhasi, ndikaenda vo naTitosi.
2:2b.GAL.002.002 Ndakakwira nokuda kwokuratidzwa; ndikarondedzera pamberi pavo Evhangeri yandinoparidza pakati pavahedheni, asi kunavakanga vachikudzwa vari voga, kuti zvimwe ndirege kumhanyira pasina, kana kuti zvimwe ndatomhanyira pasina.
2:3b.GAL.002.003 Asi naTitosi, waiva neni, ari muGiriki, haana kurovererwa kuti adzingiswe;
2:4b.GAL.002.004 nokuda kwehama dzenhema, vakanga vapinzwa nokunyanga, vakanga vapinda pakavanda kuti vashore kusununguka kwedu kwatinako munaKristu Jesu, kuti vatisunge;
2:5b.GAL.002.005 hatina kuvatsedukira ivava, tichivaterera nguva imwe; kuti zvokwadi yeEvhangeri irambe ichigara nemi.
2:6b.GAL.002.006 Zvino kana vari ivo vanonzi vakuru handine mhaka kuti vaiva vakadini kare; Mwari haatendi zvinovonekwa zvomunhu kana vari ivo vanonzi vakuru, havana kundiwedzera chinhu;
2:7b.GAL.002.007 asi ivo vakati vavona kuti ini ndakapiwa Evhangeri kunovasina kudzingiswa, saPetro kuna vakadzingiswa;
2:8b.GAL.002.008 (nokuti iye wakapa Petro simba rokuva muapostora kuna vakadzingiswa, ndiye wakapa vo ini simba rokuva muapostora kuvahedheni);
2:9b.GAL.002.009 vakati vavona nyasha dzandakanga ndapiwa, Jakobho, naKefasi, naJohaneavo vainzi mbiru vakatibata isu tose naBharnabhasi namavoko orudyi okuyanana, kuti isu tiende kuvahedheni, ivo kuna vakadzingiswa;
2:10b.GAL.002.010 vakada chete kuti tirangarire varombo; ndizvo zvandakashingairira vo kuti ndizviite.
2:11b.GAL.002.011 Zvino Kefasi wakati asvika Antiokia ndakamudzivisa pachena, nokuti wakanga anemhosva.
2:12b.GAL.002.012 Nokuti vamwe, vakanga vabva kunaJakobho, vasati vasvika, iye waidya navahedheni; asi vakati vasvika, akadzoka, akazviravura, achitya vakadzingiswa.
2:13b.GAL.002.013 Navamwe vaJudha vakaita mano-mano vo pamwe chete naye; zvikaita kuti naiye Bharnabhasi vo akatsauswa namano-mano avo.
2:14b.GAL.002.014 Asi ndakati ndichivona kuti havafambi zvakarurama nezvokwadi yeEvhangeri, ndakati kunaKefasi pamberi pavose: Kana iwe, uri muJudha, uchifamba savahedheni, usingaiti savaJudha, unoroverera seiko vahedheni, kuti vafambe savaJudha?
2:15b.GAL.002.015 Isu vaJudha pakuzvarwa kwedu, tisati tiri vatadzi vanobva kuvahedheni,
2:16b.GAL.002.016 zvatinoziva kuti munhu haaruramiswi namabasa omurairo, asi nokutenda kunaKristu Jesu, nesu vo takatenda kuna Kristu Jesu, kuti tiruramiswe nokutenda kunaKristu, tirege kururamiswa namabasa omurairo; nokuti hakune nyama icharuramiswa namabasa omurairo.
2:17b.GAL.002.017 Zvino kana isu pakutsvaka kwedu kururamiswa munaKristu, tikawanikwa tiri vatadzi vo timene, ko Kristu wava mushumiri wezvivi here? Haisva!
2:18b.GAL.002.018 Nokuti kana ndikavaka zve izvo zvandamboputsa, ndinozviita mudariki.
2:19b.GAL.002.019 Nokuti nomurairo ini ndakafa kumurairo, kuti ndirarame kunaMwari,
2:20b.GAL.002.020 Ndakaroverwa pamuchinjikwa pamwe chete naKristu; handichiri ini ndinorarama, asi Kristu unorarama mandiri; kurarama uku, kwandinorarama nako munyama zvino, ndinorarama nokutenda kuri muMwanakomana waMwari; wakandida akazvipa nokuda kwangu
2:21b.GAL.002.021 Handikonesi nyasha dzaMwari nokuti kana kururamiswa kuchibva kumurairo, Kristu wakafa pasina.
3
3:1b.GAL.003.001 Imi vaGaratia vokusafunga, ndianiko wakakurunzirai, kuti murege kuteerera chokwadi iyemi, makaratidzwa Jesu Kristu pachena pamberi pameso enyu akaroverwa pamuchinjikwa pakati penyu?
3:2b.GAL.003.002 Ichechi bedzi ndinoda kunzwa kwamuri: Makapiwa Mweya namabasa omurairo here, kana nokunzwa kwokutenda?
3:3b.GAL.003.003 Muri vokusafunga vakadaro seiko? Makatanga muMweya, ko zvino mopedzisa munyama here?
3:4b.GAL.003.004 Makatambudzika zvikuru mukadai pasina here? Kana zvaiva pasina hazvo!
3:5b.GAL.003.005 Naizvozvo uyo unokupai Mweya, nokuita mabasa esimba pakati penyu, unozviita izvo namabasa omurairo here, kana nokunzwa kwokutenda?
3:6b.GAL.003.006 Abhurahamu sezvaakatenda kunaMwari kukanzi kwaari ndiko kururama.
3:7b.GAL.003.007 Naizvozvo zivai kuti vokutenda ndivo vana vaAbhurahamu.
3:8b.GAL.003.008 Norugwaro zvarwakaziva zviri mberi kuti Mwari ucharuramisa vahedheni nokutenda, rwakaparidza Evhangeri kare kunaAbhurahamu, ruchiti: Mauri marudzi ose acharopafadzwa.
3:9b.GAL.003.009 Naizvozvo vokutenda vanoropafadzwa pamwe chete naAbhurahamu, wakatenda.
3:10b.GAL.003.010 Nokuti vose vari vamabasa omurairo, vari pakutukwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Vakatukwa vose vasingarambiri pazvinhu zvose zvakanyorwa mubuku yomurairo, kuti vazviite.
3:11b.GAL.003.011 Zvino, zvinovonekwa kuti hakunomunhu unoruramiswa nomurairo pamberi paMwari, nokuti: Wakarurama uchararama nokutenda.
3:12b.GAL.003.012 Zvino murairo haubvi pakutenda; asi uyo wakaita zvinhu izvozvi uchararama nazvo.
3:13b.GAL.003.013 Kristu wakatidzikinura pakutuka kwomurairo, iye akaitwa chakatukwa nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti!
3:14b.GAL.003.014 Kuti kuropafadzwa kwaAbhurahamu kusvike kuvahedheni munaJesu Kristu; kuti tipiwe nokutenda chipikirwa choMweya.
3:15b.GAL.003.015 Hama dzangu, ndinoreva nokureva kwavanhu, ndichiti: Kunyange iri sungano yavanhu hayo, kana yasimbiswa, hakunomunhu unoikonesa kana kuwedzera kwairi.
3:16b.GAL.003.016 Zvino, izvo zvipikirwa zvakarebwa kunaAbhurahamu nokumwana wake. Haarevi, achiti: Kuvana vako, savanenge vari vazhinji; asi saanenge ari mumwe, unoti; Kumwana wako; uyu ndiye Kristu.
3:17b.GAL.003.017 Zvino ndinoreva chinhu ichi, ndichiti; Sungano yakasimbiswa kare naMwari, munaKristu, haitorerwi simba rayo nomurairo wakazotevera makore mazana mana namakumi matatu apfuvura, kuti chipikirwa chikoneswe.
3:18b.GAL.003.018 Nokuti kana nhaka ichibva kumurairo, haichabvi kuchipikirwa;; asi Mwari wakaipa Abhurahamu nokupikira.
3:19b.GAL.003.019 Naizvozvo murairo chinyiko? Wakazowedzerwa nokuda kwezvivi, kusvikira mwana wakapikirwa izvozvo achizovuya; iwo wakarairwa navatumwa noruvoko rwomurevereri.
3:20b.GAL.003.020 Zvino murevereri haazi womumwe chete, asi Mwari ndomumwe.
3:21b.GAL.003.021 Ko murairo unorwisana nezvipikirwa zvaMwari here? Haisva! Nokuti dai vakanga vapiwa murairo waigona kuraramisa, zvirokwazvo Kururamiswa kungadai kwakabva kumurairo.
3:22b.GAL.003.022 Asi Rugwaro rwakapfigira zvose pasi pezvivi, kuti chipikirwa chinobva pakutenda munaJesu Krisitu chipiwe vanotenda.
3:23b.GAL.003.023 Asi kutenda kusati kwasvika, taichengetwa pasi pomurairo, takapfigirwa nokuda kwokutenda kwaizoratidzwa.
3:24b.GAL.003.024 Saizvozvo murairo wakanga uri muperekedzi wedu, kutiisa kunaKristu kuti tiruramiswe nokutenda.
3:25b.GAL.003.025 Zvino kutenda zvakwakasvika, hatichiri pasi pomuperekedzi.
3:26b.GAL.003.026 Nokuti imi mose muri vana vaMwari nokutenda munaKristu Jesu;
3:27b.GAL.003.027 nokuti vose pakati penyu, vakabhabhatidzwa munaKristu, makafuka Kristu.
3:28b.GAL.003.028 Hakuchina muJudha kana muGiriki, hakuchina wakasungwa kana wakasununguka, hakuchina munhurume kana munhukadzi; nokuti imi mose muri vamwe munaKristu Jesu.
3:29b.GAL.003.029 Zvino kana muri vaKristu, muri vana vaAbhurahamu, vadyi venhaka sezvamakapikirwa.
4
4:1b.GAL.004.001 Zvino ndinoti, mudyi wenhaka, kana achiri mwana, haatongosiyani nomuranda, kunyange ari ishe wazvose;
4:2b.GAL.004.002 asi uri pasi pavatariri navachengeti kusvikira panguva yakatarwa nababa.
4:3b.GAL.004.003 Saizvozvo nesu vo, tichiri vana, takanga takasungwa pasi pezvokuvamba zvenyika;
4:4b.GAL.004.004 zvino nguva yakati yazara kwazvo, Mwari akatuma Mwanakomana wake, wakaberekwa nomukadzi, wakaberekwa pasi pomurairo,
4:5b.GAL.004.005 kuti adzikinure vari pasi pomurairo, kuti tipiwe vumwana bwedu.
4:6b.GAL.004.006 Zvino zvamuri vanakomana, Mwari wakatuma Mweya woMwanakomana wake mumoyo menyu, unodana, achiti: Aba, Baba!
4:7b.GAL.004.007 Saka iwe hauchiri muranda, asi mwanakomana; kana wava mwanakomana, wava mudyi wenhaka yaMwari muna Kristu.
4:8b.GAL.004.008 Asi nenguva iyo, zvamakanga musingazivi Mwari, maiva varanda vavamwari vasati vari vezvokwadi;
4:9b.GAL.004.009 asi zvino, zvamunoziva Mwari, zvikuru zvamunozikamwa naMwari modzokerazve seiko kune zvokuvamba zvisine simba, zvovurombo, muchida zve kutanga kuva varanda vazvo?
4:10b.GAL.004.010 Munochengeta misi nemwedzi, nenguva namakore.
4:11b.GAL.004.011 Ndinotya pamsoro penyu, kuti zvimwe ndakabate-basa kwamuri pasina.
4:12b.GAL.004.012 Ndinokumbira kwamuri, hama dzangu, kuti muve seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna kundiitira chinhu chimwe chisakarurama;
4:13b.GAL.004.013 zvino munoziva kuti ndakakuparidzirai Evhangeri pakutanga nokuda kwokurwara panyama;
4:14b.GAL.004.014 nechinhu icho panyama yangu, chakanga chiri muidzo kwamuri, hamuna kuchizvidza, kana kuchisema; asi makandigamuchira somutumwa waMwari, saiye Kristu Jesu.
4:15b.GAL.004.015 Zvino kufara kwenyu kuripiko? Nokuti ndinokupupurirai, kuti kana maigona, maitumbura meso enyu mukandipa iwo.
4:16b.GAL.004.016 Zvino ndava muvengi wenyu, zvandakakuvudzai zvokwadi here?
4:17b.GAL.004.017 Vanokushingairirai nomutovo usakanaka; asi vanoda kukupfigirai kunze, kuti imi muvashingairire.
4:18b.GAL.004.018 Zvino zvakanaka kuti pachinhu chakanaka kushingairirwe nguva dzose, zvirege kuitwa kana ndiri kwamuri bedzi.
4:19b.GAL.004.019 Vana vangu vaduku, vandinotamburira zve kubereka, kusvikira Kristu avumbwa mukati menyu.
4:20b.GAL.004.020 Ndaida kuti ndive nemi zvino, ndishandure inzwi rangu; nokuti ndinokanganiswa nokuda kwenyu. Sungano mbiri
4:21b.GAL.004.021 Ndivudzei, imi munoda kuva pasi pomurairo, hamutereri murairo here?
4:22b.GAL.004.022 Nokuti kwakanyorwa kuti Abhurahamu wakanga anavanakomana vaviri, mumwe womurandakadzi, mumwe womukadzi wakasununguka.
4:23b.GAL.004.023 Zvino womurandakadzi wakaberekwa nenzira yenyama; asi womukadzi wakasununguka wakaberekwa sezvaakapikirwa.
4:24b.GAL.004.024 Zvinhu izvi zvinofananidzira; nokuti vakadzi ava vaviri isungano mbiri; imwe inobva pagomo reSinai inobereka vana vovuranda ndiye Agari;
4:25b.GAL.004.025 zvino Agari ndiro gomo reSinai muArAbhiya, rakaenzana neJerusarema razvino nokuti uri pavuranda iye navana vake
4:26b.GAL.004.026 Zvino Jerusarema riri kumusoro rakasununguka ndivo mai vedu.
4:27b.GAL.004.027 nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Fara, iwe usingabereki, usingazvari, Pururudza, udanidzire, iwe usingatamburi nokubereka, Nokuti vana vomusiyiwa vazhinji kunowaiye unomurume.
4:28b.GAL.004.028 Zvino imi, hama dzangu, muri vana vokupikirwa saIsaka.
4:29b.GAL.004.029 Asi sapanguva iyo, uyo wakaberekwa nenzira yenyama wakatambudza wakaberekwa nenzira yoMweya, zvakadaro vo nazvino.
4:30b.GAL.004.030 Asi Rugwaro runotiyiko? Dzinga murandakadzi nomwanakomana wake; nokuti mwanakomana womurandakadzi haangadyi nhaka pamwe chete nomwanakomana wowakasununguka.
4:31b.GAL.004.031 Saka, hama dzangu, hatizi vana vomurandakadzi, asi vowakasununguka.
5
5:1b.GAL.005.001 Kristu wakatisunungura kuti tive vakasununguka; naizvozvo mirai nesimba, murege kusungwa zve nejoko rovuranda.
5:2b.GAL.005.002 Tarirai, ini Pauro, ndinoti kwamuri, kuti kana muchidzingiswa, Kristu haangakubatsiriyi chinhu.
5:3b.GAL.005.003 Ndinopupurira mumwe nomumwe unodzingiswa, kuti iye unengava rokuti aite murairo wose.
5:4b.GAL.005.004 Makaparadzaniswa naKristu, iyemi munoda kururamiswa nomurairo; mabudiswa panyasha.
5:5b.GAL.005.005 Nokuti isu noMweya tinomirira nokutenda tariro yokururamiswa.
5:6b.GAL.005.006 Nokuti munaKristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvibatsiri chinhu; asi kutenda kunobata norudo.
5:7b.GAL.005.007 Makanga muchimhanya zvakanaka; ndianiko wakakudzivisai kuti murege kuterera zvokwadi?
5:8b.GAL.005.008 Hamuna kugombedzerwa naiye wakakudanai.
5:9b.GAL.005.009 Mbiriso shoma inovirisa bundu rose.
5:10b.GAL.005.010 Ndinotenda pamusoro penyu munaShe, kuti hamungatongorangariri chimwe chinhu; asi uyo, unokupesanisai uchafanira hake kutongwa, kunyange ari aninani.
5:11b.GAL.005.011 Asi ini, hama dzangu, kana ndichiparidza kuti vanhu vadzingiswe, ndinoramba ndichitambudzwa neiko? Naizvozvo kugumbusa kwomuchinjikwa kwabviswa.
5:12b.GAL.005.012 Dai avo vanokupesanisai vachizvigura vo.
5:13b.GAL.005.013 Nokuti imi, hama dzangu, makadanirwa kusununguka; asi kusununguka kwenyu ngakurege kuva nzira yenyama, asi batiranai norudo.
5:14b.GAL.005.014 Nokuti murairo wose unozadziswa neshoko rimwe chete, rokuti: Ude wokwako sezvaunozvida iwe;
5:15b.GAL.005.015 asi kana muchirumana nokudyana, chenjerai kuti murege kupedzana. Mabasa enyama nechibereko choMweya
5:16b.GAL.005.016 Zvino ndinoti: Fambai noMweya, ipapo hamungaiti kuchiva kwenyama.
5:17b.GAL.005.017 Nokuti nyama inochiva ichirwa noMweya, noMweya uchirwa nenyama; nokuti izvi zvinorwisana; kuti murege kuita zvamunoda.
5:18b.GAL.005.018 Asi kana muchitungamirirwa noMweya, hamuzi pasi pomurairo.
5:19b.GAL.005.019 Zvino mabasa enyama anovonekwa, anoti: Vupombwe, netsvina, novutere,
5:20b.GAL.005.020 nokunamata zvifananidzo, novuroyi, nokuvengana, negakava, negodo, nokutsamwa, nokupesana, nokuparadzana, nedzidziso dzakatsauka,
5:21b.GAL.005.021 nokugodorana, nokuvuraya nokubatwa, nokutamba kwakaipa, nezvinhu zvakadai; izvo zvandinokuvudzai zvino, sezvandakambokuvudzai kare, kuti vanoita zvakadai havangadyi nhaka yovushe bwaMwari.
5:22b.GAL.005.022 Zvino chibereko choMweya ndirwo rudo, nomufaro, norugare, nomoyo murefu, nomoyo munyoro, nokunaka, nokutendeka.
5:23b.GAL.005.023 novunyoro, nokuzvidzora; hakuno murairo unodzivisa zvinhu zvakadai.
5:24b.GAL.005.024 Asi avo vari vaKristu Jesu vakarovera pamuchinjikwa nyama, pamwe chete nokuda kwayo, nokuchiva kwayo.
5:25b.GAL.005.025 Kana tichirarama noMweya, ngatifambe vo noMweya,
5:26b.GAL.005.026 tirege kuzvikudza, tichimutsana moyo, tichigodorana.
6
6:1b.GAL.006.001 Hama dzangu, kunyange munhu akabatwa panokumwe kudarika, imi voMweya mudzose wakadai nomoyo wovunyoro; uchizvichenjerera iwe, kuti urege kuidzwa vo.
6:2b.GAL.006.002 Takuriranai mitoro yenyu, mugozadzisa murairo waKristu saizvozvo.
6:3b.GAL.006.003 Nokuti kana munhu achiti, ndiri chinhu, asati ari chinhu, unozvinyengera iye.
6:4b.GAL.006.004 Zvino munhu mumwe nomumwe ngaaidze basa rake amene, ipapo ungazvirumbidza pamusoro pake iye amene oga, asingazviiti pamusoro pomumwe.
6:5b.GAL.006.005 Nokuti munhu mumwe nomumwe uchafanira kutakura mutoro wake.
6:6b.GAL.006.006 Zvino unodzidziswa Shoko, ngaagovane nounodzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka.
6:7b.GAL.006.007 Musanyengerwa; Mwari haasekwi; nokuti izvo zvinodzvara munhu, ndizvo zvaanocheka zve.
6:8b.GAL.006.008 Nokuti unodzvarira nyama yake, uchacheka kuvora, kunobva panyama; asi unodzvarira mweya, uchacheka vupenyu bwusingaperi, bwunobva kumweya.
6:9b.GAL.006.009 Zvino ngatirege kuneta pakuita zvakanaka, nokuti tinozocheka nenguva yakafanira, kana tisingavori moyo.
6:10b.GAL.006.010 Zvino zvatinenguva, ngatiitire vose zvakanaka, zvikuru kunaveimba yokutenda.
6:11b.GAL.006.011 Tarirai, kukura kwamaretere andinokunyorerai nawo noruvoko rwangu.
6:12b.GAL.006.012 Vose vanoda kunzi vakanaka pane zvinovonekwa panyama, ndivo vanokurovererai kuti mudzingiswe; vanodaro bedzi kuti varege kutambudzwa nokuda kwomuchinjikwa waKristu.
6:13b.GAL.006.013 Nokuti kunyange vakadzingiswa,havachengeti murairo vamene, asi vanoda kuti imi mudzingiswe, kuti vazvirumbidze panyama yenyu.
6:14b.GAL.006.014 Asi kana ndirini, ngandirege kutongozvirumbidza napaduku, asi bedzi mumuchinjikwa waShe wedu, Jesu Kristu; naye nyika yakaroverwa pamuchinjikwa kwandiri, neni ndakaroverwa kunyika.
6:15b.GAL.006.015 Nokuti kudzingiswa kana kusadzingiswa hachizi chinhu, asi chisikwa chitsva.
6:16b.GAL.006.016 Vose vanofamba nomurairo uyu rugare ngaruve pamsoro pavo, nenyasha, napamsoro pavaIsraeri vaMwari.
6:17b.GAL.006.017 Kubvira zvino ngakurege kuva nomunhu unonditambudza; nokuti ndinamavanga aShe Jesu pamuviri wangu.
6:18b.GAL.006.018 Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu, ngadzive nomweya wenyu, hama dzangu. Ameni.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Galatians (Shona). Galatians (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5E4-8