1 Corinthians (Shona)
1
1:1b.1CO.001.001 Pauro, wakadanwa nokuda kwaMwari, kuti ave muapostora waKristu Jesu, naSostene, hama yedu,
1:2b.1CO.001.002 kukereke yaMwari iri paKorinte, kunavakaitwa vatsvene munaKristu Jesu, vakadanwa kuti vave vatsvene pamwe chete navose vanodana pose-pose zita raJesu Kristu, Ishe wedu, wavo nowedu:
1:3b.1CO.001.003 Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kunaMwari, baba vedu, naShe Jesu Kristu.
1:4b.1CO.001.004 Ndinogara ndichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, pamusoro penyasha dzaMwari dzamakapiwa munaKristu Jesu;
1:5b.1CO.001.005 kuti makafumiswa pazvose maari, pakutaura kwose, napakuziva kwose;
1:6b.1CO.001.006 nokudaro vuchapupu bwaKristu bwakasimbiswa mamuri;
1:7b.1CO.001.007 kuti hamushaiwi chipo chimwe; muchimirira kuratidzwa kwaShe wedu, Jesu Kristu;
1:8b.1CO.001.008 uchakusimbisai kusvikira pakuguma, muve vasingapomerwi pazuva raShe Jesu Kristu.
1:9b.1CO.001.009 Mwari ndiye wakatendeka, wamakadanwa naye kuyanana noMwanakomana wake, Jesu Kristu, Ishe wedu. Kupesana pakereke paKorinte
1:10b.1CO.001.010 Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, nezita raShe wedu, Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu kurege kuva nokupesana; asi kuti musonganiswe zvakanaka pamurangariro mumwe nokufunga kumwe.
1:11b.1CO.001.011 Nokuti ndakavudzwa pamusoro penyu, hama dzangu, navari vokwaKroe, kuti kunegakava pakati penyu.
1:12b.1CO.001.012 Zvandinoreva ndizvo, kuti mumwe nomumwe wenyu unoti: Ini ndiri waPauro, ini waAporo, ini waKefasi, ini waKristu.
1:13b.1CO.001.013 Ko Pauro wakaroverwa pamuchinjikwa nokuda kwenyu here? Ko makabhabhatidzwa muzita raPauro here?
1:14b.1CO.001.014 Ndinovonga Mwari, kuti handina kubhabhatidza mumwe wenyu, asi Krispo naGayo;
1:15b.1CO.001.015 kuti kurege kuva nomunhu ungati, makabhabhatidzwa muzita rangu.
1:16b.1CO.001.016 Ndakabhabhatidza vo veimba yaStefana; asi vamwe, handizivi kana ndakabhabhatidza mumwe.
1:17b.1CO.001.017 Nokuti Kristu haana kundituma kubhabhatidza, asi kuti ndiparidze Evhangeri; ndisingaiti nenjere dzamashoko, kuti muchinjikwa waKrsitu urege kukoneswa. Vuchenjeri bwaMwari novuchenjeri bwenyika
1:18b.1CO.001.018 Nokuti shoko romuchinjikwa vupenzi kunavanoparadzwa; asi kwatiri., isu tinoponeswa, isimba raMwari.
1:19b.1CO.001.019 Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndichaparadza vuchenjeri bwavakachenjera, Ndichakonesa kuziva kwavanoziva.
1:20b.1CO.001.020 Wakachenjera uripiko? Munyori uripiko? Muiti wenharo wenyika ino uripiko? Mwari haana kuita vuchenjeri bwenyika bwuve vupenzi here?
1:21b.1CO.001.021 Nokuti pashure muvuchenjeri bwaMwari, nyika novuchenjeri bwayo haina kuziva Mwari, nokuti zvakafadza Mwari novupenzi bwokuparidza kuponesa vanotenda.
1:22b.1CO.001.022 Nokuti vaJudha vanokumbira chiratidzo, navaGiriki vanotsvaka vuchenjeri;
1:23b.1CO.001.023 asi isu tinoparidza Kristu, wakaroverwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuvaJudha, novupenzi kuvahedheni;
1:24b.1CO.001.024 asi kunavakadanwa, vaJudha navaGiriki Kristu isimba raMwari novuchenjeri hwaMwari.
1:25b.1CO.001.025 Nokuti vupenzi bwaMwari bwakachenjera kupfuvura vanhu; novutera bwaMwari bwakasimba kupfuvura vanhu.
1:26b.1CO.001.026 Nokuti tarirai kudanwa kwenyu, hama dzangu, kuti havazi vazhinji vakachenjera panyama vakadanwa; havazi vazhinji vanesimba, havazi vazhinji vanokudzwa;
1:27b.1CO.001.027 asi Mwari wakatsaura zvinhu zvovupenzi zvenyika, kuti anyadzise vakachenjera; Mwari wakatsaura zvinhu zvinozvidzwa zvenyika, kuti anyadzise izvo zvinesimba;
1:28b.1CO.001.028 Mwari wakatsaura zvinhu zvinozidzwa zvenyika, nezvinoshovorwa, nezvinhu zvisipo, kuti ashaise zviripo simba razvo,
1:29b.1CO.001.029 kuti kurege kuva nenyama ingazvikudza pamberi paMwari.
1:30b.1CO.001.030 Asi naye muri munaKristu Jesu, iye wakatiitirwa isu vuchenjeri bwunobva kunaMwari, nokururama, nokuitwa vatsvene, norudzikinuro.
1:31b.1CO.001.031 Kuti unozvirumbidza, ngaazvirumbidze munaShe, sezvazvakanyorwa.
2
2:1b.1CO.002.001 Zvino ini, hama dzangu, pakuvuya kwangu kwamuri, handina kuvuya ndichikuparidzirai vuchapupu bwaMwari nokunaka kwamashoko, kana kwovuchenjeri.
2:2b.1CO.002.002 Nokuti ndakati, handingazivi chinhu pakati penyu, asi Jesu Kristu, iye wakaroverwa pamuchinjikwa.
2:3b.1CO.002.003 Ndakanga ndiri pakati penyu novutera, nokutya, nokudedera kukuru,
2:4b.1CO.002.004 neshoko rangu nokuparidza kwangu hazvizaiva namashoko okugombedzera ovuchenjeri; hwavanhu asi nokuratidza kwoMweya nokwesimba;
2:5b.1CO.002.005 kuti kutenda kwenyu kurege kuva muvuchenjeri bwavanhu, asi musimba raMwari.
2:6b.1CO.002.006 Zvino tinotaura vuchenjeri pakati pavakakwana; asi vuchenjeri bwusati bwuri bwenyika ino, kana bwavabati venyika ino vanoshaiswa simba.
2:7b.1CO.002.007 Asi tinotaura vuchenjeri bwaMwari bwakavanzika, bwakafukidzwa, bwakatemerwa kubwinya kwedu naMwari, nyika isati yavapo;
2:8b.1CO.002.008 bwusina kuzivikanwa nomumwe wavabati venyika ino; nokuti dai vaibwuziva, vangadai vaisarovera Ishe wokubwinya pamuchinjikwa.
2:9b.1CO.002.009 Asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Izvo zvisina kuvonekwa neziso, kana kunzwika nenzeve, Nezvisina kupinda mumoyo womunhu, Ndizvo Mwari zvaakagadzirira vanomuda.
2:10b.1CO.002.010 Nokuti Mwari wakazviratidza izvo kwatiri isu noMweya; nokuti Mweya unonzvera zvose, nezvakadzika zvaMwari.
2:11b.1CO.002.011 Nokuti munhu ndoupiko unoziva zvomunhu, asi mweya womunhu, uri maari? Saizvozvo hakunomunhu unoziva zvaMwari, asi Mweya waMwari.
2:12b.1CO.002.012 Zvino isu hatina kugamuchira mweya wenyika, asi Mweya unobva kunaMwari; kuti tizive izvo zvatakangopiwa hedu naMwari.
2:13b.1CO.002.013 Ndizvo zvatinotauravo, tisingatauri namashoko atinodzidziswa novuchenjeri bwomunhu, asi anodzidziswa noMweya mutsvene; tichidudzira zvinhu zvoMweya kuvanhu voMweya.
2:14b.1CO.002.014 Zvino munhu sezvaakaberekwa haagamuchiri zvinhu zvoMweya waMwari; nokuti vupenzi kwaari; haazvinzwisisi, nokuti zvinonzwisiswa noMweya.
2:15b.1CO.002.015 Asi uri woMweya unonzwisisa zvose, asi iye amene haanzwisiswi nomunhu.
2:16b.1CO.002.016 Nokuti ndianiko wakaziva murangariro waShe, kuti amudzidzise? Asi isu tinomurangariro waKristu.
3
3:1b.1CO.003.001 Ini, hama dzangu, ndakanga ndisingagoni kutaura nemi sokunavoMweya, asi sokunavenyama, sokunavacheche munaKristu.
3:2b.1CO.003.002 Ndakakupai mukaka mumwe, handina kukupai zvokudya; nokuti makanga musingagoni kudya, nazvino hamugoni.
3:3b.1CO.003.003 Nokuti muchiri venyama; nokuti zvapachinegodo pakati penyu, negakava, ko hamuzi venyama, muchifamba nomutovo wavanhu here?
3:4b.1CO.003.004 Nokuti kana mumwe achiti: Ini ndiri waPauro; mumwe; Ini ndiri waAporo; ko hamuzi venyama here?
3:5b.1CO.003.005 Zvino Pauro ndiani? Aporo ndiani? Asi vabati vamakatenda navo.
3:6b.1CO.003.006 Ini ndakasima, Aporo wakadiridza; asi Mwari wakameresa.
3:7b.1CO.003.007 Naizvozvo unosima haazi chinhu, kana unodiridza asi Mwari unomeresa.
3:8b.1CO.003.008 Zvino unosima nounodiridza ndavamwe; asi mumwe nomumwe uchapiwa mubairo wake, sezvaakabata.
3:9b.1CO.003.009 Nokuti tiri vabati pamwe chete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari. Tembere yaMwari
3:10b.1CO.003.010 Nenyasha dzaMwari dzandakapiwa, ndakaronga nheyo somuvaki wakachenjera; mumwe unovaka pamusoro padzo. Zvino mumwe nomumwe ngaachenjere kuti unovaka sei pamusoro padzo.
3:11b.1CO.003.011 Nokuti hakunomumwe ungaronga dzimwe nheyo, asi idzo dzakarongwa kare, ndiye Jesu Kristu.
3:12b.1CO.003.012 Zvino kana munhu achivaka pamusoro penheyo idzi, ndarama, kana siravheri, kana mabwe anokosha, kana matanda, kana uswa, kana mashanga;
3:13b.1CO.003.013 basa romumwe nomumwe richavonekwa; nokuti zuva iro richazvibudisa pachena, nokuti zvicharatidzwa nomoto; moto uchaidza basa romumwe nomumwe kuti rakadini.
3:14b.1CO.003.014 Kana basa romunhu raakavaka pamusoro padzo, richigara, uchapiwa mubairo.
3:15b.1CO.003.015 Kana basa romunhu rikapiswa, ucharashikirwa, asi iye amene uchaponeswa, asi sowakabuda pamoto.
3:16b.1CO.003.016 Ko hamuzivi kuti muri tembere yaMwari, vuye kuti Mweya waMwari unogara mukati menyu here?
3:17b.1CO.003.017 Kana munhu achitadzira tembere yaMwari Mwari uchamutadzira vo; nokuti tembere yaMwari itsvene, ndimi iyo.
3:18b.1CO.003.018 Kurege kuva nomunhu unozvinyengera. Kana munhu achiti ndakachenjera pakati penyu panyika ino, ngaave benzi, kuti ave wakachenjera.
3:19b.1CO.003.019 Nokuti vuchenjeri bwenyika ino vupenzi kunaMwari. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Unobata vakachenjera, pamano avo.
3:20b.1CO.003.020 Vuye zve: Ishe unoziva ndangariro dzavakachenjera, kuti hadzinamaturo.
3:21b.1CO.003.021 Naizvozvongakurege kuva nomunhu unovimba navanhu. Nokuti zvinhu zvose ndezvenyu;
3:22b.1CO.003.022 kana Pauro, kana Aporo, kana Kefasi, kana nyika, kana vupenyu; kana rufu, kana zvazvino, kana zvinovuya; zvose ndezvenyu;
3:23b.1CO.003.023 imi muri vaKristu; naKristu ndowaMwari.
4
4:1b.1CO.004.001 Munhu upi noupi ngaarangarire saizvozvo kuti tiri varanda vaKristu.vachengeti vezvakavanzika zvaMwari.
4:2b.1CO.004.002 Zvino, pazvinhu izvi, pavatariri panotsvakwa, kuti munhu awanikwe akatendeka.
4:3b.1CO.004.003 Zvino chinhu chiduku-duku kwandiri, kuti nditongwe nemi, kana nokutonga kwomunhu; handizvitongi ini ndimene.
4:4b.1CO.004.004 Nokuti handizivi mhosva yandinayo; asi handiruramiswi naizvozvo; asi unonditonga ndiyeShe.
4:5b.1CO.004.005 Saka regai kutonga chinhu nguva isati yasvika, kusvikira Ishe avuya, iye uchabudisa pachena zvinhu zvakavanzika zverima, nokuratidza mifungo yomoyo; apo munhu mumwe nomumwe ucharumbidzwa naMwari. Kusazvikudza kwavaapostora
4:6b.1CO.004.006 Zvino, hama dzangu, zvinhu izvi ndakanyora ndichizvifananidzira ini naAporo, nokuda kwenyu; kuti mudzidze kwatiri kusapfuvura izvo zvakanyorwa, kuti mumwe arege kuzvikudza, achitsaura mumwe kunomumwe.
4:7b.1CO.004.007 Nokuti ndianiko wakakutsaura iwe? Chinyiko chaunacho chausina kupiwa? Zvino kana wakapiwa, unozvikudzireiko sousina kupiwa?
4:8b.1CO.004.008 Matoguta, matofuma, mabata vushe kunze kwedu; dai maibata vushe henyu, kuti isu tibate vo pamwe chete nemi.
4:9b.1CO.004.009 Nokuti ndinoti Mwari wakatigadza isu vaapostora pakupedzisira, savanhu vakatongerwa rufu; nokuti takaitwa chinhu chinoshamisa nyika, navatumwa navanhu.
4:10b.1CO.004.010 Isu tiri mapenzi nokuda kwaKristu, asi imi makachenjera munaKristu; isu tinoshaiwa simba, asi imi munesimba; imi munokudzwa, asi isu tinozvidzwa.
4:11b.1CO.004.011 Kusikira nguva ino isu tinenzara, tinenyota, hatina chatingafuka, tinorobwa netsiva, hatinenzvimbo kwayo yokugara;
4:12b.1CO.004.012 tinotambudzika, tichibata namavoko edu; kana tichitukwa, tinoropafadza, kana tichitambudzwa, tinotsunga moyo;
4:13b.1CO.004.013 kana tichipomerwa, tinovaraidza; takaitwa setsvina yenyika, marara avose kusvikira zvino.
4:14b.1CO.004.014 Handikunyoreriyi zvinhu izvi, kuti ndikunyadzisei, asi kuti ndikurairei savana vangu vanodikanwa.
4:15b.1CO.004.015 Nokuti kunyange maiva navadzidzisi vanezvuru zvinegumi munaKristu, hamuna madzibaba mazhinji; nokuti munaJesu Kristu ini ndakakuberekai neEvhangeri.
4:16b.1CO.004.016 Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, kuti muve vateveri vangu.
4:17b.1CO.004.017 Nemhaka iyi ndakatuma Timotio kwamuri, mwana wangu unodikanwa, wakatendeka munaShe; iye uchakuyevudzai, mitovo yangu iri munaKristu Jesu, se zvandinodzidzisa kwose pakereke dzose.
4:18b.1CO.004.018 Zvino vamwe vanozvikudza, vachiti sokuti handingavuyi kwamuri.
4:19b.1CO.004.019 Ndichakurumidza kuvuya kwamuri, kana Ishe achida; handingazivi shoko raivavo vanozvikudza, asi simba ravo.
4:20b.1CO.004.020 Nokuti vushe bwaMwari habwuzi pamashoko, asi pasimba.
4:21b.1CO.004.021 Munotsvakeiko? Ndivuye kwamuri neshamhu, kana norudo nomweya wovuyoro here?
5
5:1b.1CO.005.001 Vanhu vose vanoti vupombwe bwuripo pakati penyu, vupombwe bwakadaro bwusingazikanwi kunyange pakati pavahedheni, bwokuti mumwe unogara nomukadzi wababa vake.
5:2b.1CO.005.002 Munozvikudza, hazvizaiva nani here kuti dai makachema, kuti uyo wakabate basa iri abviswe pakati penyu?
5:3b.1CO.005.003 Nokuti ini, zvirokwazvo, kunyange ndisipo nomuviri, asi ndiripo hangu nomweya, ndatotongesa uyo wakaita chinhu ichi, sendinenge ndiripo,
5:4b.1CO.005.004 nemi, makavungana pamwe chete nomweya wangu nezita raShe Jesu Kristu, nesimba raShe wedu Jesu Kristu.
5:5b.1CO.005.005 kuti munhu wakadai aiswe kunaSatani, nyama iparadzwe, kuti mweya uponeswe pazuva raShe Jesu.
5:6b.1CO.005.006 Kuzvirumbidza kwenyu hakuna kunaka. Ko hamuzivi kuti mbiriso shoma inovirisa bundu rose here?
5:7b.1CO.005.007 Bvisai mbiriso yekare, kuti muve bundu idzva, sezvamusina kuviriswa. Nokuti paseka yedu, yakatibayirwa isu, ndiKristu;
5:8b.1CO.005.008 saka ngatiite mutambo, tisingaiti nembiriso yekare, kana nembiriso yokushata nokuipa; asi nechingwa chisina kuviriswa chokururama nezvokwadi.
5:9b.1CO.005.009 Ndakakunyorerai nemwadhi yangu, kuti murege kufambidzana nemhombwe;
5:10b.1CO.005.010 handiti nemhobwe dzose dzenyika ino, kana vanoruchiva, kana makororo, kana vanonamata zvifananidzo, nokuti kana zvakadaro maifanira kubva panyika.
5:11b.1CO.005.011 Asi zvino ndinokunyorerai, kuti murege kufambidzana nomunhu unoidzwa hama, kana achinamata zvifananidzo, kana mutuki, kana unosinwa doro, kana gororo; musadya nowakadai.
5:12b.1CO.005.012 Nokuti ini ndichatongereiko vari kunze? Ko imi hamutongi vari pakati penyu here?
5:13b.1CO.005.013 Asi avo vari kunze. Mwari unovatonga. Bvisai pakati penyu munhu uyo wakaipa.
6
6:1b.1CO.006.001 Ko kana mumwe wenyu anemhosva nomumwe, ungatsunga kumukwirira kunavasakarurama, akasamukwirira kunavatsvene here?
6:2b.1CO.006.002 Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana nyika ichitongwa nemi, ko imi hamufaniri kutonga mhosva duku-duku here?
6:3b.1CO.006.003 Hamuzivi here kuti tichatonga vatumwa? Zvikuru sei izvo zvovupenyu bwuno!
6:4b.1CO.006.004 Zvino kana munemhosva dzovupenyu bwuno dzinofanira kutongwa, munogadza seiko avo vanozvidzwa pakereke, kuti ivo vatonge?
6:5b.1CO.006.005 Ndinodaro kuti munyadziswe. Ko hakuna wakachenejera pakati pwenyu ungagona kutonga pakati pehama nehama yake here?
6:6b.1CO.006.006 Asi hama inokwirira hama, achizviita pamberi pavasingatendi here?
6:7b.1CO.006.007 Zvino matova nemosva kwazvo pakati penyu, zvamunokwirirana. Munoregereiko kutenda kuitirwa zvisakarurama? Munoregereiko kutenda kubirwa?
6:8b.1CO.006.008 Asi imi munoita zvisakarurama, munonyengetera, muchizviitira hama.
6:9b.1CO.006.009 Ko hamuzivi kuti vasakarama havangagari nhaka yovushe bwaMwari here? Musarashika; nokuti mhombwe, kana vanonamata zvifananidzo, kana vanofeva, kana vakapata, kana vanoita zvakaipa navarume,
6:10b.1CO.006.010 kana mbavha, kana vanoruchiva, kana vanosinwa doro, kana vatuki, kana makororo, havangagari nhaka yovushe bwaMwari.
6:11b.1CO.006.011 Vamwe venyu vakanga vakadaro; asi makashambidzwa, asi makaitwa vatsvene. Asi mukaruramiswa nezita raShe Jesu Kristu, noMweya waMwari wedu. Miviri yedu mitezo yaJesu Kristu
6:12b.1CO.006.012 Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvinhu zvose hazvindibatsiri. Ndakatenderwa zvinhu zvose, asi handidi kukundwa nechinhu chimwe.
6:13b.1CO.006.013 Zvokudya ndezvedumbu, nedumbu nderezvokudya; asi Mwari uchaparadza iro naizvo, zvose. Asi muviri hauzi wovupombwe, asi ndowaShe; naShe ndowomuviri;
6:14b.1CO.006.014 Mwari wakamutsa Ishe, vuye uchatimutsa isu nesimba rake.
6:15b.1CO.006.015 Hamuzivi kuti miviri yenyu mitezo yaKristu, ndichatora mitezo yaKristu ndikaiita mitezo yechifeve here
6:16b.1CO.006.016 hamuzivi kuti wakasonganiswa nemhombwe wava muviri mumwe naye here? Nokuti iye unoti: Ava vaviri vachava nyama imwe.
6:17b.1CO.006.017 Asi wakasonganiswa naShe, wava mweya mumwe naye.
6:18b.1CO.006.018 Tizai vupombwe. Zvivi zvose, zvinoitwa nomunhu, zviri kunze kwomuviri; asi unoita vupombwe, unotadzira muviri wake.
6:19b.1CO.006.019 Hamuzivi here kuti muviri wenyu itembere yoMweya Mutsvene, uri mukati menyu, wamakapiwa naMwari? Hamuzi venyu;
6:20b.1CO.006.020 nokuti makatengwa nomutengo; naizvozvo kudzai Mwari mumuviri wenyu vuye mumweya yenyu iri yaMwari.
7
7:1b.1CO.007.001 Zvino kana zviri zvamakandinyorera, ndinoti: Zvakanaka kuti munhu arege kubata mukadzi.
7:2b.1CO.007.002 Asi nokuda kwovupombwe, murume mumwe nomumwe ngaave nomukadzi wake, nomukadzi mumwe nomumwe ngaave nomurume wake.
7:3b.1CO.007.003 Murume ngaape mukadzi zvakafanira; nomukadzi ngaadaro vo kumurume.
7:4b.1CO.007.004 Mukadzi haanesimba pamusoro pomuviri wake, asi murume; saizvozvo vo murume haanesimba pamusoro pomuviri wake, asi mukadzi.
7:5b.1CO.007.005 Musanyimana, asi muchiita nguva duku, mumbotenderana, kuti muve nenguva yokuzvinyima zvokudya nokunyengetera, ndokusonganazve, kuti Satani arege kukuidzai pakusagona kwenyu kuzvidzora.
7:6b.1CO.007.006 Asi ndinotaura izvi, ndichikutenderai, ndisingarairi.
7:7b.1CO.007.007 Nokuti ndinoda kuti vanhu vose vave seni. Asi munhu mumwe nomumwe unechipiwa chake, chinobva kunaMwari, mumwe chorudzi urwu, mumwe chorumwe rudzi.
7:8b.1CO.007.008 Asi ndinoti kunavasina kuwana,, nokuchirikadzi: Zvakanaka kuti vagare seni.
7:9b.1CO.007.009 Asi kana vasingagoni kuzvidzora, ngavawane; nokuti zvirinani kuti vawane pakutsva.
7:10b.1CO.007.010 Zvino vakawana ndinovaraira, asi handizini, ndiShe, kuti mukadzi arege kubva kumurume wake,
7:11b.1CO.007.011 (kana achibva, ngaagare asingawanikwi, kana ayanane nomumrume wake)
7:12b.1CO.007.012 Zvino kunavamwe ndinoti ini, haazi Ishe; Kana hama inomukadzi usingatendi, kana iye achida hake kugara naye, ngaarege kumurasha.
7:13b.1CO.007.013 Nomukadzi unomurume usingatendi, kana iye achida hake kugara naye, ngaarege kurasha murume wake,
7:14b.1CO.007.014 nokuti murume usingatendi unoitwa mutsvene nomukadzi wake, nomukadzi usingatendi unoitwa mutsvene nomurume; kana zvisina kudaro, vana venyu vaiva netsvina; asi zvino vatsvene.
7:15b.1CO.007.015 Zvino kana usingatendi achienda, ngaaende hake. Hama, kana ari murume kana mukadzi, haisungwi nezvakadaro; asi Mwari wakakudanai kuti muve norugare.
7:16b.1CO.007.016 Nokuti iwe mukadzi unoziva seiko kuti uchaponesa murume wako?Kana iwe murume, unoziva seiko kuti uchaponesa mukadzi wako?
7:17b.1CO.007.017 Asi, mumwe nomumwe sezvaakagoverwa naShe, mumwe nomumwe sezvaakadanwa naMwari, ngaafambe saizvozvo. Ndizvo zvandinoraira pakereke dzose.
7:18b.1CO.007.018 Kana mumwe achinge akadanwa akadzingiswa, ngaarege kuitwa usakadzingiswa; kana mumwe achinge akadanwa asakadzingiswa, ngaaarege kudzingiswa.
7:19b.1CO.007.019 Kudzingiswa hachizi chinhu, nokusadzingiswa hachizi chinhu, asi kuchengeta mirairo yaMwari.
7:20b.1CO.007.020 Mumwe nomumwe ngaagare pakudanwa kwaakadanwa nako.
7:21b.1CO.007.021 Wakadanwa uri muranda here? Usazvidya moyo; asi kana ungasunungurwa, zvirinani kuti udaro hako.
7:22b.1CO.007.022 Nokuti wakadanwa munaShe, ari muranda, wava musunungurwa waShe; saizvozvo vo, wakadanwa akasununguka, wava muranda waKristu.
7:23b.1CO.007.023 Makatengwa nomutengo; regai kuva varanda vavanhu.
7:24b.1CO.007.024 Hama dzangu, mumwe nomumwe ngaagare pamberi paMwari ipapo paakadanwa napo.
7:25b.1CO.007.025 Zvino, pamusoro pemhandara, handinomurairo waShe; asi ndinotaura somunhu wakapiwa ngoni naShe kuti ave wakatendeka.
7:26b.1CO.007.026 Naizvozvo ndinoti nokuda kwenhamo ino, zvakanaka kuti munhu agare akadaro.
7:27b.1CO.007.027 Wakabatanidzwa nomukadzi here? Usatsvaka kusunungurwa. Wakasunungurwa pamukadzi here?.
7:28b.1CO.007.028 Zvino kana wawana, hauna kutadza; nemhandara kana yawanikwa, haina kutadza. Asi vakadaro vachava nedambudziko panyama; asi ini ndinoda kukutavirirai.
7:29b.1CO.007.029 Zvino ndinozvitaura izvi, hama dzangu, nokuti nguva ipfupi; kuti kubva zvino vanavakadzi vave savasina;
7:30b.1CO.007.030 navanochema vave savasingachemi; navanofara savasingafari; navanotenga savasinechinhu;
7:31b.1CO.007.031 navanobata nezvenyika, savasingabatisisi nazvo; nokuti mugariro wenyika ino unopfuvura.
7:32b.1CO.007.032 Zvino ndinoda kuti murege kuva nokufunganya. Usina kuwana, unofunga zvaShe, kuti ungafadza Ishe wake sei.
7:33b.1CO.007.033 Asi wakawana, unofunga zvenyika, kuti ungafadza mukadzi wake sei.
7:34b.1CO.007.034 Panomusiyano pakati pomukadzi nemhandara usina kuwanikwa unofunga zvaShe, kuti ave mutsvene pamuviri napamweya; asi wakawanikwa unofunga zvenyika, kuti ungafadza murume wake sei.
7:35b.1CO.007.035 Izvi ndinotaura kuti mubatsirwe imi; ndisingadi kukusungai nomusungo, asi nokuda kwezvakafanira, vuye kuti munamatire Ishe, musingakanganiswi.
7:36b.1CO.007.036 Asi kana mumwe achifunga kuti haaitiri mukunda wake, yava mhandara, zvakafanira, iye zvaatokura kwazvo hake, kana zvirinani kuti zviitwe, ngaaite nokuda kwake, haatadzi; ngavawaniswe havo.
7:37b.1CO.007.037 Asi uyo unomira akasimba pamoyo pake, asingamanikidzwi nechinhu, asi anesimba pamusoro pokuda kwake, akatema mumoyo make chinhu ichi, kuti uchachengeta mhandara yake, iye unoita zvakanaka.
7:38b.1CO.007.038 Naizvozvo, unomuwanisa unoita zvakanaka; nosingamuwanisi, unoita zvinopfuvura nokunaka.
7:39b.1CO.007.039 Mukadzi wakasungwa nomurairo murume wake achiri mupenyu; zvino kana murume wake afa, wasununguka, kuti awanikwe nowaanoda; asi ngazviitwe munaShe.
7:40b.1CO.007.040 Asi unganyanya kufara kana achigara akadaro, pakufunga kwangu ini; zvino ndinoti neni vo ndinoMweya waMwari.
8
8:1b.1CO.008.001 Zvino, pamusoro pezvakabayirwa zvifananidzo, tinoziva kuti tose tinako kuziva. Kuziva kunovuyisa kuzvikudza, asi rudo runosimbisa.
8:2b.1CO.008.002 Kana munhu achiti, ndinoziva chinhu, ugere kutongoziva sezvaakafanira kuziva.
8:3b.1CO.008.003 Asi kana munhu achida Mwari, iye unozikanwa naye.
8:4b.1CO.008.004 Zvino kana kuri kudya zvinhu zvakabayirwa zvifananidzo, tinoziva kuti chifananidzo hachizi chinhu panyika, vuye kuti hakunaMwari, asi iye mumwe chete.
8:5b.1CO.008.005 Nokuti kunyange varipo vanonzi vamwari, kana kudenga kana panyika; se zvavaripo vamwari vazhinji, namadzishe mazhinji;
8:6b.1CO.008.006 asi isu tinongova naMwari mumwe bedzi, ndivo Baba; zvinhu zvose zvinobva kwaari, nesu tiri,po nokuda kwake; vuye Ishe mumwe, Jesu Kristu;zvinhu zvose zviripo naye, nesu tiripo naye.
8:7b.1CO.008.007 Asi vose havana kuziva ikoko; nokuti vamwe, vakarovera chifananidzo kusvikira zvino, vanodya vachiti zvakabayirwa zvifananidzo; hana yavo zvaisinesimba, inoshatiswa.
8:8b.1CO.008.008 Zvino zvokudya hazvingatisvitsi kunaMwari; nokuti kana tisingadyi, hatiipiswi; kana tichidya, hatinatswi.
8:9b.1CO.008.009 Asi chenjerai, kuti simba renyu iri rirege kuva chigumbuso kunavasinesimba.
8:10b.1CO.008.010 Nokuti kana mumwe achikuvona iwe, unako kuziva, ugere pakudya mutembere yechifananidzo, ko hana yaiyeye usinesimba haingatsungiswi, kuti adye izvo zvakabayirwa zvifananidzo here?
8:11b.1CO.008.011 Nokuti nokuziva kwako uyo usinesimba unoparadzwa, iri hama yakafirwa vo naKrsitu.
8:12b.1CO.008.012 Zvino kana muchitadzira hama saizvozvo, muchirwadzisa hana yavo isinesimba, munotadzira Kristu.
8:13b.1CO.008.013 Saka kana zvokudya zvichigumbusa hama yangu, handingatongodyi nyama nokusingaperi, kuti ndirege kugumbusa hama yangu.
9
9:1b.1CO.009.001 Handizi wakasununguka here? Handizi muapostora here? Handina kuvona Jesu Kristu, Ishe wedu here? Imi hamuzi basa rangu munaShe here?
9:2b.1CO.009.002 Kana ndisati ndiri muapostora kuna vamwe, kunyange zvakadaro zvirokwazo ndiri muapostora kwamuri hangu; nokuti imi muri chisimbiso chovuapostora bwangu munaShe.
9:3b.1CO.009.003 Kuzvidavirira kwangu kunaivo vanonditonga ndikoku:
9:4b.1CO.009.004 Hatine simba rokudya nokunwa here?
9:5b.1CO.009.005 Hatine simba rokufamba nomukadzi iri hama, savamwe vaapostora navanununa vaShe, naKefasi here?
9:6b.1CO.009.006 Ko ini ndoga naBharnabhasi hatine simba rokurega kubata basa here?
9:7b.1CO.009.007 Ndianiko ungandorwa achizviripira mubairo? Ndianiko unorima munda wemizambiringa, akasadya zvibereko zvawo? Ndianiko unofudza boka, akasadya mukaka weboka?
9:8b.1CO.009.008 Izvi ndinozvitaura nokutaura kwavanhu here?
9:9b.1CO.009.009 Nokuti pamurairo waMosesi pakanyorwa, pachiti: Usasunga muromo wenzombe inopura zviyo. Ko Mwari unehanya nenzombe here?
9:10b.1CO.009.010 Kana unoreva saizvozvo nokuda kwedu kwoga here? Zvirokwazvo, zvakanyorwa nokuda kwedu, nokuti unorima unofanira kurima netariro; nounopura, achitarira kuti uchagoverwa vo.
9:11b.1CO.009.011 Kana isu takakudzvarirai zvinhu zvomweya, chingava chinhu chikuru here kana tichicheka zvinhu zvenyu zvenyama?
9:12b.1CO.009.012 Kana vamwe vachipiwa simba pamusoro penyu, ko isu hatipiwi iro zvikuru here? Asi hatina kuzvibatira nesimba; asi tinotambudzika pazvose, kuti tirege kudzivisa Evhangeri yaKristu..
9:13b.1CO.009.013 Hamuzivi here kuti vanoshumira pazvinhu zvitsvene vanorarama nezvinhu zvetembere? Vuye kuti vanobata basa paaritari, vanogovana nearitari here?
9:14b.1CO.009.014 Saizvozvo vo Ishe wakaraira kuti vanoparidza Evhangeri, vararame neEvhangeri.
9:15b.1CO.009.015 Asi ini handina kuzvibatira nechimwe chezvinhu izvo. Handinyori izvi kuti ndiitirwe saizvozvo ini; nokuti zvirinani kuti ndife, pakuti mumwe akonese icho chandinozvirumbidza nacho.
9:16b.1CO.009.016 Nokuti kana ndichiparidza evhangeri, handina chandingazvirumbidza nacho, nokuti ndinoroveverwa; ndinenhamo, kana ndisingaparidzi Evhangeri.
9:17b.1CO.009.017 Nokuti kana ndichizviita ndichida ini, ndinomubairo; asi kana ndichizviita ndisingadi, ndakapiwa hangu vutariri.
9:18b.1CO.009.018 Zvino mubairo wangu ndoweiko? Ndiwo, kuti kana ndichiparidza Evhangeri, ndivigire vanhu Evhangeri yaKristu vasingaripi, kuti ndirege kuzvibatira pandaigona napo nesimba randinaro reEvhangeri.
9:19b.1CO.009.019 Nokuti kunyange ndakasununguka kunavose, ndakazviita muranda wavose, kuti ndiwane vazhinji kwazvo.
9:20b.1CO.009.020 KuvaJudha ndakava somuJudha, kuti ndiwane vaJudha; kunavari pasi pomurairo, ndakava somunhu uri pasi pomurairo, kunyange ndisati ndiri pasi pomurairo hangu, kuti ndiwane vari pasi pomurairo;
9:21b.1CO.009.021 kunavasinomurairo, ndakava somunhu usinomurairo, kunyange ndisati ndiri munhu usinomurairo waMwari, asi pasi pomurairo waKristu, kuti ndiwane vasinomurairo.
9:22b.1CO.009.022 Kuna vasinesimba ndakava sousinesimba, kuti ndiwane vasinesimba; ndakava zvose kuvanhu vose, kuti ndiponese vamwe nemitovo yose.
9:23b.1CO.009.023 Zvinhu zvose ndinozviita nokuda kweEvhangeri, kuti ndigoverwe iyo pamwe chete navamwe.
9:24b.1CO.009.024 Hamuzivi here kuti avo vanoita nhangemutange, vanomhanya vose, asi mumwe chete unopiwa mubairo? Mhanyai saizvozvo, kuti muwane.
9:25b.1CO.009.025 Mumwe nomumwe, unoshingaira pakutamba, unozvidzora pazvose. Zvino ivo vanozviita kuti vawane korona inovora, asi isu kuti tiwane isingavori.
9:26b.1CO.009.026 Zvino ini handirwi somunhu unorova mhepo;
9:27b.1CO.009.027 asi ndinorwadzisa muviri wangu, ndichiuita muranda; kuti zvimwe ini, ndamboparidzira vamwe, ndirege kuva wakarashwa ndimene.
10
10:1b.1CO.010.001 Nokuti handidi, hama dzangu, kuti murege kuziva kuti madzibaba edu ose akanga ari pasi pegore, vuye kuti vose vakayambuka gungwa;
10:2b.1CO.010.002 vose vakabhabhatidzwa munaMosesi mugore nomugungwa;
10:3b.1CO.010.003 vose vakadya zvokudya zvimwe zomweya;
10:4b.1CO.010.004 vose vakanwa zvokunwa padombo romweya rakavatevera; dombo iro rakanga riri Kristu.
10:5b.1CO.010.005 Asi Mwari haana kufadzwa navazhinji vavo; nokuti vakaparadzwa murenje.
10:6b.1CO.010.006 Zvino, zvinhu izvi zvakanga zviri zviratidzo kwatiri, kuti isu tirege kuchiva zvakaipa, sezvavakachiva ivo.
10:7b.1CO.010.007 imi regai kunamata zvifananidzo, savamwe vavo; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Vanhu vakagara pasi pakudya nokunwa, vakasimuka kuti vatambe.
10:8b.1CO.010.008 Zvino ngatirege kuita vupombwe, savamwe vavo vakaita vupombwe, vakafa nezuva rimwe venezvuru zvinamakumi maviri nezvitatu.
10:9b.1CO.010.009 Ngatirege kuidza Kristu, savamwe vavo vakamuidza, vakaparadzwa nenyoka.
10:10b.1CO.010.010 Murege kunununa savamwe vavo vakanununa, vakaparadzwa nomuparadzi.
10:11b.1CO.010.011 Zvino, zvinhu izvi zvose zvakavawira, kuti vave zviratidzo; zvakanyorwa kuti tinyeverwe isu, takasvikirwa nokuguma kwenyika.
10:12b.1CO.010.012 Naizvozvo, unoti ndinomira, ngaachenjere kuti arege kuwa.
10:13b.1CO.010.013 Hakunomuidzo wakakubatai imi, asi wavanhu vose; asi Mwari, wakatendeka, haangatenderi kuti muidzwe kupfuvura pamunogona napo; asi pamwe chete nomuidzo, iye uchakupai vo nzira yokubuda nayo, muve nesimba rokutsunga. Nzvengai zvifananidzo
10:14b.1CO.010.014 Naizvozvo, vadikanwa vangu, tizai kunamata zvifananidzo.
10:15b.1CO.010.015 Ndinotaura sokunavakachenjera; fungai zvandinotaura.
10:16b.1CO.010.016 Mukombe wokuvonga watinovonga, hakuzi kusongana neropa raKristu here? Chingwa chatinomedura, hakuzi kusongana nomuviri waKristu here?
10:17b.1CO.010.017 Zvachiri chingwa chimwe chete, isu vazhinji tiri muviri mumwe; nokuti tinogovana tose pachingwa chimwe.
10:18b.1CO.010.018 Tarirai vaIsraeri panyama; avo vanodya zvibayiro havagovani nearitari here?
10:19b.1CO.010.019 Zvino ndotiyiko? Kuti chakabayirwa chifananidzo chinhu here? kana chifananidzo chinhu here?
10:20b.1CO.010.020 Kwete, asi ndinoti izvo zvinobayirwa navahedheni, havazvibayirwi Mwari, asi mweya yakaipa; zvino handidi kuti muyanane nemweya yakaipa.
10:21b.1CO.010.021 Hamunganwiri pamukombe waShe, napamukombe wemweya yakaipa; hamungadyiri patafura yaShe napatafura yemweya yakaipa.
10:22b.1CO.010.022 Ko tinoda kumutsa godo raShe here? Tinomukunda nesimba here? Mukristu ngaarege kugumbusa vamwe
10:23b.1CO.010.023 Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvose hazvindibatsiri. Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvose hazvisimbisi.
10:24b.1CO.010.024 Munhu ngaarege kuzvitsvakira zvake, asi zvomumwe.
10:25b.1CO.010.025 Idyai zvose zvinotengwa panotengeswa nyama, musingabvunzi chinhu nokuda kwehana;
10:26b.1CO.010.026 nokuti nyika ndeyaShe nokuzara kwayo.
10:27b.1CO.010.027 Kana mumwe wavasingatendi akakukokerai kuzodya, kana mukada kuenda, idyai zvose zvinoiswa pamberi penyu, musingabvunzi chinhu nokuda kwehana.
10:28b.1CO.010.028 Asi kana mumwe akati kwamuri: Ichi chakabayirwa zvifananidzo, regai kudya nokuda kwaiye wakakuratidzai, vuye nokuda kwehana;
10:29b.1CO.010.029 handirevi hana yako, asi yomumwe;nokuti kusununguka kwangu kunotongerweiko nehana yomumwe?
10:30b.1CO.010.030 Kana ini ndichidya ndichivonga, ndingagotukirweiko nokuda kwechinhu chandinovonga pamusoro pacho?
10:31b.1CO.010.031 Naizvozvo, kana muchidya, kana muchinwa, kana muchiita chinhu chipi nechipi, itai zvose kuti Mwari akudzwe.
10:32b.1CO.010.032 Regai kugumbusa kana vaJudha, kana vaGiriki, kana kereke yaMwari.
10:33b.1CO.010.033 Seni vo ndinofadza vanhu vose pazvinhu zvose, ndisingatsvaki zvingandibatsira ini, asi zvingabatsira vazhinji, kuti vaponeswe.
11
11:1b.1CO.011.001 Ivai vateveri vangu, seni ndiri muteveri waKristu. Vakadzi pavungano dzekereke
11:2b.1CO.011.002 Zvino, ndinokurumbidzai, nokuti munondirangarira pazvinhu zvose, muchichengeta tsika, sezvandakakupai idzo.
11:3b.1CO.011.003 Asi ndinoda kuti muzive kuti musoro womumwe nomumwe ndiye Kristu;vuye musoro womukadzi ndiye murume; vuye musoro waKristu ndiye Mwari.
11:4b.1CO.011.004 Murume mumwe nomumwe, unonyengetera kana kuporofita musoro wake wakafukidzwa, unoninipisa musoro wake.
11:5b.1CO.011.005 Asi mukadzi mumwe nomumwe, unonyengetera kana kuporofita musoro wake usina kufukidzwa, unoninipisa musoro wake; nokuti ndizvo zvimwe nokuvevurwa.
11:6b.1CO.011.006 Nokuti kana mukadzi asingafukidzwi, ngaachekerwe vhudzi rake vo; asi kana zvisingafaniri kuti mukadzi achekerwe vhudzi, kana avevurwe, ngaafukidzwe.
11:7b.1CO.011.007 Nokuti murume haafaniri kufukidza musoro, zvaari mufananidzo nokubwinya kwaMwari; asi mukadzi ndiye kubwinya kwomurume.
11:8b.1CO.011.008 Nokuti murume haabvi kumukadzi; asi mukadzi unobva kumurume;
11:9b.1CO.011.009 vuye murume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi wakasikirwa murume;
11:10b.1CO.011.010 nokuda kweizvozvo mukadzi unofanira kuva nechiratidzo chesimba pamusoro wake, nokuda kwavatumwa.
11:11b.1CO.011.011 Kunyange zvakadaro munaShe mukadzi haazi kunze kwomurume,, nomurume haazi kunze kwomukadzi.
11:12b.1CO.011.012 Nokuti mukadzi sezvaanobva kumurume, nokudaro vo murume unoberekwa nomukadzi; asi zvose zvinobva kunaMwari.
11:13b.1CO.011.013 Tongai imi mumene: Zvakafanira kuti mukadzi anyengetere kunaMwari asina kufukidzwa here?
11:14b.1CO.011.014 Ko hamudzidziswi naiwo musikirwe wavanhu kuti kana murume anevhudzi refu, unonyadziswa nazvo here?
11:15b.1CO.011.015 Asi kana mukadzi anevhudzi refu, ndiko kubwinya kwake; nokuti wakapiwa vhudzi rake, chive chifukidzo.
11:16b.1CO.011.016 Zvino kana mumwe anenge achida kuita gakava, hatinetsika yakadaro isu, kunyange kereke dzaMwari. Tsika dzakafanira patafura yaShe
11:17b.1CO.011.017 Zvino kana ndichikuvudzai izvi, handikurumbidziyi, nokuti hamuvunganiri zvinopfuvura nokunaka, asi zvakaipa.
11:18b.1CO.011.018 Nokuti shoko rokutanga, kana muchivungana mukereke, ndinonzwa kuti kupesana kuripo pakati penyu; pamwe ndinotenda kuti ndizvo.
11:19b.1CO.011.019 Nokuti dzidziso dzakatsauka dzinofanira kuva pakati penyu, kuti avo vakatendeka vavonekwe pakati penyu.
11:20b.1CO.011.020 Zvino kana muchivungana pamwe chete, hakuzi kuti mudye chirayiro chaShe;
11:21b.1CO.011.021 nokuti kana modya, mumwe nomumwe unotangira vamwe kudya chirayiro chake; mumwe unenzara, mumwe wakabatwa.
11:22b.1CO.011.022 Ko hamunedzimba kwamungadyira nokunwira here? Munozvidza kereke yaMwari, muchinyadzisa avo vasinechinhu here? Ndichaiteiko kwamuri? Ndingakurumbidzai here? Handingakurumbidziyi.
11:23b.1CO.011.023 Nokuti ini ndakagamuchira kunaShe icho chandakakupai vo, kuti Ishe Jesu novusiku bwaakapandukirwa, wakatora chingwa;
11:24b.1CO.011.024 akati avonga, akachimedura, akati: torai mudye. Ichi ndiwo muviri wangu unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.
11:25b.1CO.011.025 Saizvozvo vo, vakati vapedza kurayira, akatora mukombe, akati: Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu;itai izvi, nguva dzose kana muchinwa, muchindirangarira.
11:26b.1CO.011.026 Nokuti nguva dzose, kana muchidya chingwa ichi, kana kunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe, kusvikira achivuya.
11:27b.1CO.011.027 Naizvozvo mumwe nomumwe unodya chingwa ichi, kana kunwa mukombe waShe, nomutovo usina kufanira, uchava nemhosva yomuviri neropa raShe.
11:28b.1CO.011.028 Zvino munhu ngaazviidze, kuti adye chingwa ichi achidaro, nokunwa mukombe uyu.
11:29b.1CO.011.029 Nokuti unodya nokunwa, nomutovo usina kufanira unozvidyira nokuzvimwira kurobwa zvaasinganatso nzwisisa muviri waShe.
11:30b.1CO.011.030 Nemhaka iyi vazhinji varipo pakati penyu vasinesimba, vanorwara; vazhinji vavete.
11:31b.1CO.011.031 Nokuti dai taizviidza isu timene, hatizairobwa.
11:32b.1CO.011.032 Zvino kana tichitongwa, tinorangwa naShe, kuti tirege kutongerwa kurohwa pamwe chete nenyika.
11:33b.1CO.011.033 Naizvozvo, hama dzangu, kana muchivunganira pakudya, miriranai.
11:34b.1CO.011.034 Kana munhu anenzara, ngaadye kumusha kwake; kuti murege kuvunganira kutongwa. Zvimwe zvakasara ndichazvigadzira kana ndichisvika.
12
12:1b.1CO.012.001 Zvino, kana zviri zvipo zvoMweya, hama dzangu, handidi kuti muve vasingazivi.
12:2b.1CO.012.002 Munoziva kuti panguva yamaiva vahedheni, makanga muchikweverwa kuzvifananidzo, zvisingagoni kutaura, sezvamaitungamirirwa.
12:3b.1CO.012.003 Saka ndinokuzivisai kuti hakunomunhu unotaura noMweya waMwari, ungati: Jesu ngaatukwe! Vuye, hakunomunhu ungati: Jesu ndiye Ishe, asi noMweya Mutsvene.
12:4b.1CO.012.004 Zvino marudzi mazhinji ezvipo aripo, asi Mweya ndomumwe.
12:5b.1CO.012.005 Marudzi mazhinji okushumira aripo, vuye Ishe mumwe.
12:6b.1CO.012.006 Marudzi mazhinji amabasa aripo, asi Mwari mumwe, iye unobata zvose munavose.
12:7b.1CO.012.007 Asi mumwe nomumwe unopiwa kuratidzwa kwoMweya, kuti vose vabatsirwe.
12:8b.1CO.012.008 Nokuti mumwe unopiwa noMweya shoko rovuchenjeri, mumwe shoko rokuziva noMweya iwoyu;
12:9b.1CO.012.009 mumwe, kutende muMweya iwoyu; mumwe iwoyu; mumwe zipo zokuporesa muMweya iwoyu;
12:10b.1CO.012.010 mumwe, kuita mabasa esimba; mumwe, kuporofita; mumwe, kuzivisisa mweya; mumwe, marudzi endimi; mumwe, kududzira ndimi;
12:11b.1CO.012.011 asi izvi zvose zvinoitwa noMweya iwoyu mumwe chete, unogovera mumwe nomumwe sezvaanoda. Mitezo mizhinji asi muviri mumwe
12:12b.1CO.012.012 Nokuti somuviri uri mumwe, unemitezo mizhinji, nemitezo yose yomuviri, kunyange iri mizhinji, muviri ndomumwe chete; wakadaro vo Kristu.
12:13b.1CO.012.013 Nokuti muMweya mumwe isu tose takabhabhatidzirwa mumuviri mumwe; kana tiri vaJudha, kana vaGiraiki, kana varanda, kana vakasununguka; isu tose takanwiswa paMweya mumwe.
12:14b.1CO.012.014 Nokuti muviri hauzi mutezo mumwe, asi mizhinji.
12:15b.1CO.012.015 Kana rutsoka rukati: Zvandisati ndiri ruvoko, handizi womuviri; ko haruzi rwomuviri, zvarwadaro here?
12:16b.1CO.012.016 Nenzeve kana ikati: Zvandisati ndiri ziso, handizi womuviri; ko haizi yomuviri here?
12:17b.1CO.012.017 Kana muviri wose raiva ziso, kunzwa kwaivepiko? Kana wose kwaiva kunzwa, kunhuwidza kwaivepiko?
12:18b.1CO.012.018 Asi zvino Mwari wakaisa mutezo mumwe nomumwe pamuviri sezvaakada.
12:19b.1CO.012.019 Kana yose waiva mutezo mumwe, muviri waive piko?
12:20b.1CO.012.020 Asi zvino kune mitezo mizhinji, asi muviri mumwe.
12:21b.1CO.012.021 Ziso haringati kuruvoko: Handikudi; kana musoro vo kutsoka; Handikudiyi imi.
12:22b.1CO.012.022 Kwete, zvikuru mitezo iyo yomuviri inenge isinesimba, ndiyo inodikanwa;
12:23b.1CO.012.023 nemitezo iyo yomuviri yatinoti haikudzwi, ndiyo yatinokudza kwazvo; nemitezo iyo yedu isina kunaka, ndiyo yova nokunaka kunopfuvurisa;
12:24b.1CO.012.024 asi mitezo yedu yakanaka, haishaiwi kukudzwa. Asi Mwari wakabatanidza muviri wose, akakudza anokupfuvurisa mitezo inoshaiwa kunaka;
12:25b.1CO.012.025 kuti pamuviri parege kuva nokupesana; asi kuti mitezo ichengetane zvakaenzana.
12:26b.1CO.012.026 Kana mutezo mumwe uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwe chete nawo; kana mutezo mumwe uchikudzwa, mitezo yose inofara pamwe chete nawo.
12:27b.1CO.012.027 Zvino, imi muri muviri waKristu, nomumwe, nomumwe mitezo yawo.
12:28b.1CO.012.028 Mwari wakaisa vamwe pakereke, pakutanga vaapostora, rwechipiri vaporofita, rwechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vamabasa esimba, tevere zvipo zvokuporesa, navabatsiri navabati, namarudzi mazhinji endimi.
12:29b.1CO.012.029 Vose vaapostora here? Vose vaporofita here? Vose vadzidzisi here? Vose vaiti vamabasa esimba here?
12:30b.1CO.012.030 Vose vanezvipo zvokuporesa here? Vose vanotaura nendimi here? Vose vanodudzira here?
12:31b.1CO.012.031 Asi shingairirai zvipo zvikuru. Ndinokuratidzai vo nzira yakaisvonaka inopfuvura dzose.
13
13:1b.1CO.013.001 Kunyange ndikataura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, ndisinorudo, ndava sendarira dzinorira, nedare rinongoti: Ngwere-ngwere!
13:2b.1CO.013.002 Kunyange ndinechipo chokuporofita, ndichinzwisisa zvakavanzika zvose, nokuziva kwose; kunyange ndinokutenda kwose, kuti ndibvise makomo, ndisinorudo, handizi chinhu.
13:3b.1CO.013.003 Kunyange ndagovera varombo zvose zvandinazvo, kunyange ndikaisa muviri wangu kuti ndipiswe, ndisinorudo, handibatsirwi chinhu.
13:4b.1CO.013.004 Rudo runomoyo murefu, runomoyo munyoro; rudo harunegodo; rudo harunamanyawi, haruzvikudzi;
13:5b.1CO.013.005 haruiti zvisingafaniri, haruzvitsvakiri zvarwo; harutsamwi, harunezvishura;
13:6b.1CO.013.006 harufariri zvisakarurama, asi runofarira zvokwadi;
13:7b.1CO.013.007 runofukidza zvose, runotenda zvose, runetariro pazvose, runotsungirira pazvose.
13:8b.1CO.013.008 Rudo harutongoperi; zvino kana kuri kuporofita, kuchapera; kana dziri ndimi, dzichaguma; kana kuri kuziva, kuchabviswa.
13:9b.1CO.013.009 Nokuti tinoziva zvisakakwana, tinoporofita zvisakakwana;
13:10b.1CO.013.010 asi kana zvakakwana zvasvika, izvo zvisakakwana zvichabiswa.
13:11b.1CO.013.011 Ini ndichiri mwana, ndaitaura somwana, ndaifunga somwana, ndairangarira somwana; zvino zvandava murume, ndabvisa zvinhu zvomwana.
13:12b.1CO.013.012 Nokuti zvino tinovona pachivoni-voni, tisingavoni kwazvo; asi nenguva iyo tichavona nezviso zvakatarisana; zvino ndinoziva zvisakakwana, asi nenguva iyo ndichaziva sezvandakazikanwa neni vo.
13:13b.1CO.013.013 Zvino kutenda, netariro, norudo, zvitatu izvi, ndizvo zvinogara; asi chikuru pakati pazvo ndirwo rudo.
14
14:1b.1CO.014.001 Teverai rudo, shingairirai zvipo zvoMweya, asi zvikuru kuti muprofite.
14:2b.1CO.014.002 Nokuti unotaura norumwe rurimi haatauri kuvanhu, asi kunaMwari; nokuti hakuna unomunzwa; asi noMweya unotaura zvakavanzika.
14:3b.1CO.014.003 Asi unoporofita, unotaura kuvanhu, kuti vasimbiswe nokurairwa, nokunyaradzwa.
14:4b.1CO.014.004 Unotaura norurimi, unozvisimbisa iye; asi unoporofita, unosimbisa kereke.
14:5b.1CO.014.005 Zvino ndinoda kuti imi mose mutaure nendimi, asi zvikuru kuti muprofite; unoporofita mukuru kunounotaura nendimi, asi kana achidudzira, kuti kereke isimbiswe.
14:6b.1CO.014.006 Asi zvino, hama dzangu, kana ndichivuya kwamuri, ndichitaura nendimi, ndingakubatsirai neiko, kana ndisingatauri nokuzarurirwa, kana nokuziva, kana nokuporofita, kana nokudzidzisa?
14:7b.1CO.014.007 Kunyange zvinhu zvisinovupenyu, zvinorira kana iri nyere, kana rudimbwa kana zvisingasiyani pakurira kwazvo, zvingazikanwa seiko chinoridzwa nenyere kana rudimbwa?
14:8b.1CO.014.008 Nokuti kana hwamanda isingariri kwazvo, ndianiko ungazvigadzira kundorwa?
14:9b.1CO.014.009 Zvakadaro vo nemi, kana musingatauri norurimi mashoko anonatso-zikanwa, zvinotaurwa zvichazikanwa seiko? Nokuti muchangotaura henyu mumhepo.
14:10b.1CO.014.010 Manzwi anamarudzi mazhinji panyika, hakunechinhu chisinenzwi racho.
14:11b.1CO.014.011 Zvino kana ndisingazivi kuti inzwi rinorevei, ini ndichava somunhu worumwe rurimi kuno unotaura, nounotaura uchava kwandiri somunhu worumwe rurimi.
14:12b.1CO.014.012 Saizvozvovo imi, zvamunoshingairira zvinhu zvoMweya, tsvakai zvikuru kuti musimbise kereke.
14:13b.1CO.014.013 Saka unotaura norumwe rurimi,ngaanyengetere kuti adudzirevo
14:14b.1CO.014.014 Nokuti kana ndichinyengetera norumwe rurimi,mweya wangu unonyengetera asi kufunga kwangu kunoshaiwa zvibereko.
14:15b.1CO.014.015 Zvino chinyiko? Ndichanyengetera nomweya wangu vuye ndichanyengetera nokufunga kwangu vo; ndichaimba nomweya wangu, vuye ndichaimba nokufunga kwangu vo.
14:16b.1CO.014.016 Kana zvisakadaro, kana iwe uchivonga nomweya, ko uyo ugere pachigaro chavasina kudzidza, uchati Ameni seiko pakuvonga kwako, zvaasingazivi chaunotaura iwe?
14:17b.1CO.014.017 Nokuti iwe unovonga hako zvakanaka, asi mumwe haasimbiswi.
14:18b.1CO.014.018 Ndinovonga Mwari, kuti ini ndinotaura nendimi zhinji kukunda imi mose;
14:19b.1CO.014.019 asi pakereke ndinoda zvikuru kutaura mashoko mashoma nokufunga kwangu, kuti ndidzidzise vamwe vo, pakutaura norumwe rurimi mashoko anezvuru zvinegumi.
14:20b.1CO.014.020 Hama dzangu, musava vana pakuziva, asi muve vacheche pazvakaipa, asi pakuziva muve vakuru.
14:21b.1CO.014.021 Pamurairo pakanyorwa, pachiti: Ndichataura kuvanhu ava, ndichireva navanhu vedzimwe ndimi nemimwe miromo; kunyange zvakadaro, havanganditereri ndizvo zvinoreva Ishe.
14:22b.1CO.014.022 Saka ndimi hadzizi chiratidzo kunavanotenda, asi kunavasingatendi; asi kunavanotenda.
14:23b.1CO.014.023 Naizvozvo, kana kereke yose yavungana, vose vakataura nendimi, vasinakudzidza kana vasina kutenda vakapinda, havati munopenga here?
14:24b.1CO.014.024 Asi kana vose vakaporofita, mumwe usingatendi kana usina kudzidza akapinda, uchatendiswa; navose, uchatongwa navose;
14:25b.1CO.014.025 nenzira iyi zvakavanzika zvomoyo wake zvinoratidzwa; naizvozvo uchawira pasi nechiso chake, achinamata Ishe, nokupupura kuti Mwari uri pakati penyu zvirokwazvo. Zvose ngazviitwe nomutovo wakanaka mukereke
14:26b.1CO.014.026 Zvino tichatiyiko, hama dzangu? Kana muchivungana, mumwe nomumwe unepisarema, unechokudzidzisa, unechaakazarurirwa, unorumwe rurimi, unechokududzira. Ngazviitwe zvose, kuti musimbiswe.
14:27b.1CO.014.027 Kana mumwe achitaura norurimi, ngazviitwe navaviri, kana varege kupfuvura vatatu, vachiravana; nomumwe ngaadudzire.
14:28b.1CO.014.028 Asi kana pasina unodudzira, ngaanyarare mukereke; ngaazvitaurire iye, nokunaMwari.
14:29b.1CO.014.029 Vaporofita ngavataure vaviri, kana vatatu, navamwe ngavaidze.
14:30b.1CO.014.030 Zvino kana chimwe chinhu chikazarurirwa mumwe ugerepo, wokutanga ngaanyarare.
14:31b.1CO.014.031 Nokuti mungaporofita mose, muchiita mumwe-mumwe, kuti vose vadzidze, vose vanyaradzwe.
14:32b.1CO.014.032 Mweya yavaporofita inozviisa pasi pavaporofita;
14:33b.1CO.014.033 nokuti Mwari haazi Mwari wenyonganiso, asi worugare, sapakereke dzose dzavatsvene.
14:34b.1CO.014.034 Vanhukadzi venyu ngavanyarare mukereke; nokuti havatenderwi kutaura; asi vanorairwa kuti vazviise pasi, sezvinoreva vo murairo.
14:35b.1CO.014.035 Kana vachida kudzidza chinhu, ngavabvunze varume vavo kumusha; nokuti chinhu chinonyadzisa kuti vanhukadzi vataure mukereke.
14:36b.1CO.014.036 Ko shoko raMwari rakabva kwamuri here?
14:37b.1CO.014.037 Kana munhu achiti, ndiri muporofita, kana ndiri womweya, ngaatende kuti izvo zvandinokunyorerai, murairo waShe,
14:38b.1CO.014.038 Asi kana munhu asingazivi, ngaave usingazivi hake.
14:39b.1CO.014.039 Saka, hama dzangu, shingairirai kuporofita, musingadzivisi mumwe kutaura nendimi.
14:40b.1CO.014.040 Asi zinhu zvose ngazviitwe nomutovo wakafanira zvinemirairo yazvo.
15
15:1b.1CO.015.001 Zvino, hama dzangu, ndinokuzivisai Evhangeri yandakakuparidzirai, iyo yamagamuchira vo, neyamunomira vo mairi;
15:2b.1CO.015.002 iyo yamunoponeswa vo nayo, kana muchiibatisa nomutovo wandakaiparidza kwamuri, kana musina kutenda pasina.
15:3b.1CO.015.003 Nokuti pakutanga ndakakupai izvo zvandakagamuchira vo, kuti Kristu wakafira zvivi zvedu, sezvakanyorwa paMagwaro;
15:4b.1CO.015.004 vuye kuti wakavigwa, akamutswa nezuva retatu, sezvakanyorwa paMagwaro;
15:5b.1CO.015.005 akazviratidza kunaKefasi, ipapo kunavanegumi navaviri;
15:6b.1CO.015.006 ipapo akazviratidza kuhama dzinopfuvura mazana mashanu kamwe-vazhinji vavo vapenyu kusvikira zvino, asi vamwe vavata.
15:7b.1CO.015.007 Ipapo akazviratidza kunaJakobho; ipapo kunavaapostora vose.
15:8b.1CO.015.008 pakupedzisira akazviratidza kwandiri vo, sokunowakazvarwa nguva isati yasvika.
15:9b.1CO.015.009 Nokuti ini ndiri muduku kuvapostora vose, handifaniri kuti ndinzi muapostora, nokuti ndakatambudza kereke yaMwari.
15:10b.1CO.015.010 Asi nenyasha dzaMwari ndiri munhu wakadai zvino: nenyasha dzake kwandiri hadzina kuva pasina; asi ndakabata zvikuru kupfuvura vose; handizini, asi inyasha dzaMwari dzaiva neni.
15:11b.1CO.015.011 Naizvozvo, kana ndirini kana vari ivo, tinoparidza kudai, nemi makatenda kudai.
15:12b.1CO.015.012 Zvino kana Kristu achiparidzwa, kuti wakamutswa kuvakafa, vamwe pakati penyu vanoreva seiko, kuti hakuna kumuka kwavakafa?
15:13b.1CO.015.013 Zvino, dai pasina kumuka kwavakafa, naKristu ungadai asina kumutswa vo;
15:14b.1CO.015.014 vuye, dai Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu kungadai kuchiva pasina, nokutenda kwenyu kungadai kuchiva vo pasina.
15:15b.1CO.015.015 Nesu taiwanikwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema; nokuti takapupura kuti Mwari wakamutsa Kristu, iye waasina kumutsa, kana zviri izvo kuti vakafa havamutswi.
15:16b.1CO.015.016 Nokuti kana vakafa vasingamutswi, naKristu, haana kumutswa vo;
15:17b.1CO.015.017 kana Kristu asinakumutswa, kutenda kwenyu hakuna maturo; muchiri muzvivi zvenyu.
15:18b.1CO.015.018 Zvino naivo vakafa munaKristu vakarashika vo.
15:19b.1CO.015.019 Kana tinetariro kunaKristu pavupenyu bwuno bedzi, tinonzwisa vurombo kukunda vanhu vose.
15:20b.1CO.015.020 Nokuti zvino Kristu wakamutswa kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavata.
15:21b.1CO.015.021 Nokuti rufu zvarwakavuya nomunhu, kumuka kwavakafa kwakavuya nomunhu vo.
15:22b.1CO.015.022 Nokuti vose sezvavanofa munaAdhama, saizvozvo vo vose vachararamiswa munaKristu.
15:23b.1CO.015.023 Asi mumumwe nomumwe padzoro rake: Kristu chibereko chokutanga; tevere, avo vari vaKristu pakuvuya kwake.
15:24b.1CO.015.024 Ipapo kuguma kunosvika, panguva yaachazopa Mwari, Baba, vushe panguva yaachaparadza kubata kwose, novushe bwose, nesimba.
15:25b.1CO.015.025 Nokuti unofanira kubata vushe, kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake.
15:26b.1CO.015.026 Muvengi wokupedzisira, uchaparadzwa, ndirworufu.
15:27b.1CO.015.027 Nokuti wakaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Zvino kana achiti: Zvose zvakaiswa pasi pake, zvinovonekwa pachena kuti iye, wakaisa zvose pasi pake, haana kuiswapo.
15:28b.1CO.015.028 Zvino kana zvose zvaiswa pasi pake, ipapo noMwanakomana vo amene uchaiswa pasi paiye wakaisa zvose pasi pake, kuti Mwari ave zvose kunavose.
15:29b.1CO.015.029 Kana zvisina kudaro, ko avo vanobhabhatidzwirwa vakafa, vachagoita seiko? Kana vakafa vasingatongomutswi, vakagobhabhatidzirweiko ivo vakafa?
15:30b.1CO.015.030 Nesu tiri panjodzi nguva dzose neiko?
15:31b.1CO.015.031 Ndinopika, hama dzangu, nokuzvirumbidza kwandinako pamusoro penyu munaKristu Jesu, Ishe wedu, kuti ndinofa zuva rimwe nerimwe.
15:32b.1CO.015.032 Kana ndakarwa nezvikara paEfeso somunhu zvaindibatsireiko? Kana vakafa vasingamutswi, ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tinofa.
15:33b.1CO.015.033 Musanyengerwa; vushamwari bwakaipa bwunovodza tsika dzakanaka.
15:34b.1CO.015.034 Pengenukai kune zvakarurama, murege kutadza, nokuti vamwe havazivi Mwari; ndinotaura izvi kutimunyadziswe.
15:35b.1CO.015.035 Asi mumwe ungati: Vachavuya nomuviri wakaita sei?
15:36b.1CO.015.036 Iwe benzi, icho chaunodzwara hachimeri, kana chisingafi.
15:37b.1CO.015.037 Chaunodzwara, haudzwari muviri uchavapo, asi tsanga bedzi, kana yamapfunde, kana yezvimwe;
15:38b.1CO.015.038 asi Mwari unoipa muviri paanoda napo, nembeu imwe neimwe muviri wayo.
15:39b.1CO.015.039 Nyama yose haizi nyama imwe; asi imwe ndeyavanhu, imwe inyama yemhuka, imwe inyama yeshiri, imwe; ndeyehove.
15:40b.1CO.015.040 Kune miviri yokudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kweyokudenga ndokumwe, nokwenyika ndokumwe.
15:41b.1CO.015.041 Kunokubwinya kwezuva, ndokumwe, nkubwinya kwomwedzi, ndokumwe kubwinya kwenyeredzi, ndokumwe nokuti imwe nyeredzi inosiyana neimwe pakubwinya.
15:42b.1CO.015.042 Ndizvo zvakaita vo kumuka kwavakafa. Muviri unodzvarwa pakuvora; unomutswa pakusavora;
15:43b.1CO.015.043 unodzwarwa pakuzvidzwa, unomutswa pakubwinya; unodzwarwa pavutera, unomutswa pasimba.
15:44b.1CO.015.044 Unodzwarwa uri muviri wokuberekwa, unomutswa uri muviri womweya. Muviri wokuberekwa uripo, nomuviri womweya uripo.
15:45b.1CO.015.045 Zvakanyorwa vo saizvozvo, zvichinzi: Munhu wokutanga, Adhama, wakaitwa munhu mupenyu; Adhama wokupedzisira wakaitwa mweya, unopa vupenyu.
15:46b.1CO.015.046 Asi zvomweya hazvizi zvokutanga, asi zvokuberekwa; tevere zvomweya.
15:47b.1CO.015.047 Munhu wokutanga ndowenyika, ivhu; munhu wechipiri ndiIshe akabva kudenga.
15:48b.1CO.015.048 Saiye wevhu, ndizvo zvakaita vo avo vevhu; saiye okudenga, ndizvo zvakaita vo ivo vokudenga.
15:49b.1CO.015.049 Vuye, sezvatakanga tinomufananidzo womunhu wevhu, tichava vo nomufananidzo waiye wokudenga.
15:50b.1CO.015.050 Zvino, hama dzangu, ndinoreva ndichiti, nyama neropa hazvingagari nhaka yovushe bwaMwari; nokuvora hakungagari nhaka yokusavora.
15:51b.1CO.015.051 Tarirai, ndinokuvudzai chakavanzika: Hatingavati tose, asi tichashandurwa tose;
15:52b.1CO.015.052 pakarepo, nokubwaira kweziso, nehwamanda yokupedzisira; nokuti hwamanda icharira, ipapo vakafa vachamutswa mukusavora; nesu tichashandurwa;
15:53b.1CO.015.053 nokuti ichi chinovora chinofanira kufuka kusavora; nechichi chinofa chinofanira kufuka kusafa.
15:54b.1CO.015.054 Zvino kana ichi chinovora chafuka kusavora; nechichi chinofa chafuka kusafa, ipapo shoko rakanyorwa richaitika, rinoti: Rufu rwakamedzwa mukukunda.
15:55b.1CO.015.055 Iwe rufu rumborera rwako ruripiko? Iwe bwiro kukunda kwako kuripiko?
15:56b.1CO.015.056 Rumborera gorufu chivi, nesimba rechivi murairo.
15:57b.1CO.015.057 Zvino Mwari ngaavongwe, unotipa kukunda munaKristu Jesu.
15:58b.1CO.015.058 Saka, hama dzangu dzinodikanwa, mirai makasimba, murege kuzununguswa, mubatire Ishe zvikuru nguva dzose muchiziva kuti kubata kwenyu hakungavi pasina munaShe.
16
16:1b.1CO.016.001 Zvino, kana zviri zvipo zakavunganidzirwa vatsvene, se zvandakaraira kereke dzeGaratia, itai nemi vo seizvozvo.
16:2b.1CO.016.002 Nomusi wokutanga wevhiki, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure zvimwe kumba kwake, avunganidze, paakawana napo, kuti zvipo zvirege kuvunganidzwa, kana ndichisvika.
16:3b.1CO.016.003 Kana ndasvika, ndichatuma avo vamunotenda nemwadhi, vagondoisa zvipo zvenyu Jerusarema.
16:4b.1CO.016.004 Kana zvakafanira kuti ini ndiende vo, vangaenda neni.
16:5b.1CO.016.005 Zvino ndichavuya kwamuri, kana ndagura neMakedhonia; nokuti ndinogura neMakedhonia.
16:6b.1CO.016.006 Zvimwe ndichagara nemi, kunyange ndipedze chando, kuti mugondiperekedza pose pandinoenda.
16:7b.1CO.016.007 Nokuti handidi kukuvonai zvino ndiri parwendo; nokuti ndinoti ndichazogara nemi chinguva, kana Ishe achinditendera.
16:8b.1CO.016.008 Asi ndichagara paEfeso kusvikira paPentekosta.
16:9b.1CO.016.009 Nokuti ndazarurirwa mukova mukuru unebasa guru; navadzivisi vazhinji varipo.
16:10b.1CO.016.010 Zvino kana Timotio achisvika, chenjerai kuti agare nemi asingatyi; nokuti unobata basa raShe, sezvandinoita ini.
16:11b.1CO.016.011 Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu unomuzvidza. Asi mumuperekedze norugare, kuti avuye kwandiri; nokuti ndakamutarira pamwe chete nehama.
16:12b.1CO.016.012 Zvino kana ari Aporo, hama yedu, ndakakumbira kwaari zvikuru, kuti avuye kwamuri pamwe chete nedzimwe hama; asi wakanga asingatongodi kuvuya zvino, uchavuya hake kana awana nguva yakanaka.
16:13b.1CO.016.013 Rindai, mirai nesimba pakutenda, itai savarume, musimbiswe.
16:14b.1CO.016.014 Zvose zvamunoita ngazviitwe norudo.
16:15b.1CO.016.015 Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, munoziva mhuri yaStefana, kuti ndicho chibereko chokutanga paAkaya, vakazviisa kuti vashumire vatsvene
16:16b.1CO.016.016 Kuti nemi vo muzviise pasi pavakadaro, napasi pavose vanotibatsira navanobata.
16:17b.1CO.016.017 Ndinofara nokuvuya kwaStefana, naFortunato, naAkaiako; nokuti ivo vakandiitira zvamakanga musingagoni kuita imi.
16:18b.1CO.016.018 Nokuti vakazorodza mweya wangu nowenyu; naizvozvo kudzai vakadaro.
16:19b.1CO.016.019 Kereke dzapaAsia dzinokukwazisai. Akwira naPrisira vanokukwazisai zvikuru munaShe, pamwe chete nekereke iri mumba mavo.
16:20b.1CO.016.020 Hama dzose dzinokukwazisai. Kwazisanai nokusveta kutsvene.
16:21b.1CO.016.021 Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruvoko rwangu.
16:22b.1CO.016.022 Kana munhu asingadi Ishe Jesu Kristu, ngaave wakatukwa. Ishe unovuya!
16:23b.1CO.016.023 Nyasha dzaShe Jesu Kristu ngadzive nemi.
16:24b.1CO.016.024 Rudo rwangu ngaruve nemi mose munaKristu Jesu. Ameni.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. 1 Corinthians (Shona). 1 Corinthians (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5DE-0