Romans (Shona)

Romans (Shona)

1

1:1b.ROM.001.001 Pauro, muranda waKristu Jesu, wakadanwa kuti ave muapostora, wakatsaurirwa Evhangeri yaMwari,

1:2b.ROM.001.002 yaakapikira kare navaporofita vake muMagwaro matsvene,

1:3b.ROM.001.003 zvoMwanakomana wake, wakabva kurudzi rwaDhavhidhi panyama,

1:4b.ROM.001.004 wakaratidzwa nesimba paMweya wovutsvene, kuti ndiye Mwanakomana waMwari, nokumuka kwake kuvakafa; ndiye Jesu Kristu, Ishe wedu,

1:5b.ROM.001.005 watakagamuchira naye nyasha novuapostora, kuti pakati pavahedheni vose, pave nokuterera kwokutenda nokuda kwezita rake;

1:6b.ROM.001.006 nemi vo muri pakati pavo, makadanwa kuti muve vaJesu Kristu;

1:7b.ROM.001.007 kunavose vari muRoma, vadikanwa vaMwari, vakadanwa kuti vave vatsvene: Nyasha ngadzive nemi norugare, zvinobva kunaMwari, baba vedu, nokunaShe Jesu Kristu. Rudo rwaPauro kuvaRoma

1:8b.ROM.001.008 Pakutanga, ndinovonga Mwari wangu munaJesu Kristu, pamusoro penyu mose, nokuti kutenda kwenyu kunoparidzirwa panyika yose.

1:9b.ROM.001.009 Nokuti Mwari chapupu changu, iye wandinoshumira mumweya wangu muEvhengeri yoMwanakomana wake, kuti handiregi kukurangarirai,

1:10b.ROM.001.010 ndichikumbira nguva dzose pakunyengetera kwangu, kuti zvimwe ndifambiswe hangu zvakanaka ndivuye kwamuri nokuda kwaMwari.

1:11b.ROM.001.011 Nokuti ndinoda zvikuru kukuvonai, kuti ndikupei chimwe chipo chomweya, kuti musimbiswe.

1:12b.ROM.001.012 Ndokuti ini ndinyaradzwe pamwe chete nemi pakati penyu, mumwe nomumwe nokutenda kwomumwe, kwenyu nokwangu.

1:13b.ROM.001.013 Handidi kuti musaziva, hama dzangu, kuti kazhinji ndaida kuvuya kwamuri, (ndikadziviswa kusvikira zvino), kuti ndive nezvibereko kwamuri vo, sapakati pavamwe vahedheni.

1:14b.ROM.001.014 Ndinengava kuvaGiriki nokuvatorwa, nokuvakachenjera navasina kuchenjera.

1:15b.ROM.001.015 Naizvozvo, kana ndirini, ndakazvigadzira kukuparidzirai vo Evhangeri, imi muri paRoma.

1:16b.ROM.001.016 Nokuti handinyari pamusoro peEvhangeri; nokuti isimba raMwari rokuponesa mumwe nomumwe unotenda, kutanga muJudha, vuye muGiriki vo.

1:17b.ROM.001.017 Nokuti mairi kururama kwaMwari kunoratidzwa kunobva pakutenda kuchienda kukutenda; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Wakarurama uchararama nokutenda. Kurashika kwavahedheni.

1:18b.ROM.001.018 Nokuti kutsamwa kwaMwari kunoratidzwa, kuchibva kudenga, pamusoro pokusada Mwari kwose nokusarurama kwavanhu, vanodzivisa zvokwadi nokusarurama;

1:19b.ROM.001.019 nokuti izvo zvingazikanwa zvaMwari zvinovonekwa mukati mavo; nokuti Mwari wakazviratidza izvo kwavari.

1:20b.ROM.001.020 Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika, izvo zvake zvisingavonekwi, iro simba rake risingaperi novuMwari bwake, zvinovonekwa kwazvo, zvichizikanwa pazvinhu zvakaitwa; kuti varege kuva nepembedzo;

1:21b.ROM.001.021 nokuti vaiziva Mwari, asi havana kumukudza saMwari, kana kumuvonga; asi vakafunga zvisinamaturo, nemoyo yavo isinezivo, ikasvibiswa.

1:22b.ROM.001.022 Vachiti, takachenjera, vakava mapenzi;

1:23b.ROM.001.023 vakashandura kubwinya kwaMwari usingafi, vakakuita mufananidzo wakafanana nomunhu unofa, neshiri, nemhuka dzinamakumbo mana, nezvinokambaira.

1:24b.ROM.001.024 Saka Mwari, mukuchiva kwemoyo yavo, akavaisa kutsvina, kuti vanyadzise miviri yavo pakati pavo.

1:25b.ROM.001.025 Avo vakatsinhanha zvokwadi yaMwari nenhema, vakanamata nokushumira chisikwa kupfuvura musiki, iye unokudzwa nokusingaperi. Ameni.

1:26b.ROM.001.026 Mwari wakavaisa pakuchiva kunonyadzisa; nokuti vanhukadzi vavo vakashandura basa ravakasikirwa, rive basa ravasina kusikirwa;

1:27b.ROM.001.027 saizvozvo vanhurume vo vakasiya basa rakasikirwa munhukadzi, vakakundwa nokuchiva pakati pavo, vanhurume vachiita zvinonyadza navanhurume, vakapiwa mukati mavo mubairo wakafanira wokurashika kwavo.

1:28b.ROM.001.028 Sezvavakanga vasingadi kugara vachiziva Mwari, Mwari akavaisa kumurangariro wakarashika, kuti vaite zvisakafanira;

1:29b.ROM.001.029 vakazadzwa nokusarururama kwose, nokuipa, noruchiva, nokuvenga; vakazara negodo, nokuvuraya, norukave, nokunyengera, nechinya; vanhu vanoita zeve-zeve,

1:30b.ROM.001.030 navacheri, navanovenga Mwari, navanodada, navanozvikudza, navanozvirumbidza, navavambi vezvakaipa, navasingatereri vabereki,

1:31b.ROM.001.031 namapenzi, navanoputsa sungano, navasinorudo kwarwo, vasinengoni.

1:32b.ROM.001.032 Avo, kunyange vachiziva havo chirevo chaMwari, kuti vanoita zvakadai vakafanirwa norufu, havaiti izvo bedzi, asi vanotenderana navanozviita.

2

2:1b.ROM.002.001 Saka haunepembedzo iwe munhu, upi noupi, unotonga vamwe; nokuti pachinhu icho chaunotonga mumwe nacho, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe, unotonga unoita zvinhu izvozvo.

2:2b.ROM.002.002 Tinoziva kuti kutonga kwaMwari ndokwazvokwadi kunavanoita zvinhu zvakadai.

2:3b.ROM.002.003 Iwe munhu, unotonga vamwe vanoita zvinhu zvakadai, iwe uchizviita vo, ko unoti ungatiza kutonga kwaMwari here?

2:4b.ROM.002.004 Unozvidza kanhi fuma yovunyoro bwake, nomoyo wake munyoro, nomoyo wake murefu, usingazivi here kuti vunyoro bwaMwari bwunokuisa pakutendevuka?

2:5b.ROM.002.005 Asi novukukutu bwako, nomoyo usingadi kutendevuka, unozvivunganidzira kutsamwa nezuva rokutsamwa, nokuratidzwa kwokutonga kwakarurama kwaMwari;

2:6b.ROM.002.006 iye uchapa mumwe nomumwe paakaita napo:

2:7b.ROM.002.007 Vanotsvaka kubwinya, nokukudzwa, nokusafa, vachitsungirira pakuita zvakanaka, uchavapa vupenyu hwusingaperi.

2:8b.ROM.002.008 Asi kunavanenharo, vasingatereri zvokwadi, vanoterera zvisakarurama, kuchavapo kutsamwa nehasha.

2:9b.ROM.002.009 nokutambudzika nenhamo kumweya mumwe nomumwe womunhu kunoita zvakaipa, pakutanga womuJudha, nowomuGiriki;

2:10b.ROM.002.010 asi kubwinya, nokukudzwa, norugare kunomumwe nomumwe unoita zvakanaka, ku muJudha pakutanga, muGiriki vo.

2:11b.ROM.002.011 Nokuti Mwari haatendi zvinovonekwa zvomunhu.

2:12b.ROM.002.012 Nokuti vose vakatadza vasinomurairo; vachaparadzwavo vasinomurairo; vose vakatadza vanomurairo, vachatongwa nomurairo;

2:13b.ROM.002.013 nokuti vanzwi vomurairo havazi ivo vakarurama pamberi paMwari, asi vaiti vomurairo ndivo vanoruramiswa;

2:14b.ROM.002.014 (nokuti kana vahedheni vasinomurairo vachiita pachavo zvinhu zvomurairo, vachava murairo wavo vamene;

2:15b.ROM.002.015 nokuti vanoratidza basa romurairo wakanyorwa mumoyo yavo, hana yavo ichipupura pamwe chete nazvo, nezvavanofunga pakati pavo zvichivapa mhosva kana kuvapembedza;)

2:16b.ROM.002.016 nezuva iro, Mwari raanozotonga naro zvakavanzika zvavanhu, naJesu Kristu, sezvinoreva Evhangeri yangu. VaJudha havanepembedzo.

2:17b.ROM.002.017 Zvino kana iwe unonzi muJudha, unovimba nomurairo, unozvirumbidza munaMwari,

2:18b.ROM.002.018 unoziva kuda kwake, nokutsaura kuti zvakanaka ndezvipi, uchidzidziswa nomurairo,

2:19b.ROM.002.019 unozviti iwe uri mutungamiriri wamapofu, nechiedza chavari murima,

2:20b.ROM.002.020 nomurairi wamapenzi, nomudzidzisi wavacheche, zvaunomufananidzo wokuziva nowezvokwadi pamurairo;

2:21b.ROM.002.021 zvino iwe unodzidzisa mumwe, unoregereiko kuzvidzidzisa? Iwe unoparidza kuti munhu arege kuba, unobireiko iwe?

2:22b.ROM.002.022 Iwe unoti munhu arege kuita vupombwe, unoitireiko vupombwe iwe? Iwe unosema zvifananidzo, unobireiko iwe tembere dzavo?

2:23b.ROM.002.023 Iwe unozvirumbidza nomurairo, unoshovora Mwari nokudarika murairo neiko?

2:24b.ROM.002.024 Nokuti, sezvazvakanyorwa zita raMwari rinomhurwa pakati pavahedheni nokuda kwenyu.

2:25b.ROM.002.025 Nokuti kudzingiswa kunobatsira, kana iwe uri muiti womurairo; asi kana uri mudariki womurairo, kudzingiswa kwako kwava kusadzingiswa.

2:26b.ROM.002.026 Zvino. Kana iye usina kudzingiswa achichengeta zvirevo zvomurairo, ko kusadzingiswa kwake hakunganzi kudzingiswa here?

2:27b.ROM.002.027 Nousina kudzingiswa kubva pakuzvarwa kwake, kana achichengeta murairo, haangakutongi here iwe unodarika murairo, iwe unomurairo wakanyorwa, vuye vo kudzingiswa?

2:28b.ROM.002.028 Nokuti uyo haazi muJudha, uri muJudha pakuvonekwa chete; nokudzingiswa hakuzi iko kunovonekwa, kuri panyama;

2:29b.ROM.002.029 asi muJudha ndiye uri muJudha nechomukati; nokudzingiswa ndiko kwomoyo, mumweya, kusati kuri kwezvakanyorwa; iye haarumbidzwi navanhu, asi naMwari.

3

3:1b.ROM.003.001 Ko muJudha unopfuvura vamwe neiko? Kana kudzingiswa kunobatsireiko?

3:2b.ROM.003.002 Zvizhinji, nemitovo yose: Pakutanga, kuti ndivo vakapiwa mashoko aMwari.

3:3b.ROM.003.003 Nokuti zvinodiniko kana vamwe vasinokutenda? Ko kusatenda kwavo kuchakonesa kutendeka kwaMwari here?

3:4b.ROM.003.004 Haiswa! Mwari ngaave wazvokwadi, asi vanhu vose vave venhema; sezvazvakanyorwa. Zvichinzi: Kuti mururamiswe pamashoko enyu, Mukunde pakutonga kwenyu.

3:5b.ROM.003.005 Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari, tichatiiko? Kuti Mwari haana kururama here, zvaanoita nehasha?(Ndinotaura nokutaura kwomunhu.)

3:6b.ROM.003.006 Haisva! Mwari ungagozotonga nyika seiko?

3:7b.ROM.003.007 Zvino kana zvokwadi yaMwari yawanzwa nenhema dzangu, iye akakudzwa nazvo ko neni vo ndichatongerwei somutadzi?

3:8b.ROM.003.008 Ticharegereiko kutaura (sezvatinopomerwa, vuye sezvinoreva vamwe vachiti tinodaro), tichiti: Ngatiite zvakaipa, kuti zvakanaka zvibudepo? Kutongwa kwavo kwakarurama. Vanhu vose vanezvivi, asi vanoruramiswa munaJesu Kristu.

3:9b.ROM.003.009 Zvino todiniko? Tinovapfuvura here? Kwete napaduku; nokuti tambopa vose mhosva, vaJudha navaGiriki, tichiti vose vakasungwa nezvivi;

3:10b.ROM.003.010 sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Hakuna wakarurama, kunyange nomumwe.

3:11b.ROM.003.011 Hakuna unonzwisisa.Hakuna unotsvaka Mwari;

3:12b.ROM.003.012 Vakatsauka vose, vakava vanhu vasinamaturo, Hakuna unoita zvakanaka, kunyange nomumwe chete;

3:13b.ROM.003.013 Huro dzavo bwiro bwakashama; Vakanyengera nendimi dzavo;Vuturu bwenyoka bwuri mumiromo yavo;

3:14b.ROM.003.014 Muromo wavo uzere nokutuka nokuvava;

3:15b.ROM.003.015 Tsoka dzavo dzinokurumidza kutevura ropa;

3:16b.ROM.003.016 Kuparadza nenhamo zviri munzira dzavo;

3:17b.ROM.003.017 Nenzira yorugare havana kuiziva.

3:18b.ROM.003.018 Kutya Mwari hakupo pamberi pavo,

3:19b.ROM.003.019 Zvino tinoziva kuti zvose zvinorebwa nomurairo, unozvireva kunavose vari pasi pomurairo; kuti miromo yose idzivirwe, nenyika yose ive nemhosva pamberi paMwari.

3:20b.ROM.003.020 Nokuti hakunenyama ingaruramiswa pamberi pake namabasa omurairo; nokuti zvivi zvinoziviswa nomurairo.

3:21b.ROM.003.021 Asi zvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa kunze kwomurairo, kuchipupurirwa nomurairo navaporofita;

3:22b.ROM.003.022 ndiko kururama kwaMwari kunovuya nokutenda kunaJesu Kristu kunavose vanotenda; nokuti havasiyani,

3:23b.ROM.003.023 nokuti vose vakatadza vakasasvika pakubwinya kwaMwari.

3:24b.ROM.003.024 Vanongoruramiswa nenyasha dzake nokudzikinura kuri munaKristu Jesu.

3:25b.ROM.003.025 Iye wakagadzwa naMwari, kuti ave muyananiso nokutenda muropa rake, kuti kururama kwake kuratidzwe, nokuti zvivi zvakaitwa kare zvakaregerwa, Mwari achivaitira moyo murefu;

3:26b.ROM.003.026 kuti kururama kwake kuratidzwe, nenguva ino, kuti arurame iye amene, vuye aruramise uyo unotenda kunaJesu.

3:27b.ROM.003.027 Zvino kuzvikudza kuripiko? Kwabviswa, Nomurairo upiko? Wamabasa here? Kwete, asi nomurairo wokutenda.

3:28b.ROM.003.028 Naizvozvo tinoti, munhu unoruramiswa nokutenda kunze kwamabasa omurairo.

3:29b.ROM.003.029 Ko Mwari ndiye wavaJudha voga here? Haazi wavahedheni vo here? Hongu, wavahedheni vo.

3:30b.ROM.003.030 Mwari zvaari mumwe chete, ucharuramisa vakadzingiswa pamsoro pokutenda, navasina kudzingiswa nokutenda.

3:31b.ROM.003.031 Zvino tinokonesa murairo nokutenda here? Haiswa! Asi tinosimbisa murairo.

4

4:1b.ROM.004.001 Zvino tichatiiko? Abhurahamu, teteguru vedu panyama, wakawaneiko?

4:2b.ROM.004.002 Nokuti dai Abhurahamu akaruramiswa namabasa ake, ungadai anechinhu chaangazvirumbidza nacho; asi haana pamberi paMwari.

4:3b.ROM.004.003 Nokuti Rugwaro runoti kudiniko? Runoti: Abhurahamu wakatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama.

4:4b.ROM.004.004 Zvino kunounobate-basa, mubairo haunzi ndowenyasha, asi ndowengava.

4:5b.ROM.004.005 Kunousingabati, asi unotenda kunaiye unoruramisa munhu usingadi Mwari, kutenda kwake kunonzi kwaari ndiko kururama.

4:6b.ROM.004.006 Sezvinoreva vo Dhavhidhi, kuti wakaropafadzwa munhu unonzi naMwari wakarurama, kunze kwamabasa,

4:7b.ROM.004.007 achiti: Vakaropafadzwa vakakanganwirwa zvisakarurama zvavo, Navakafukidzirwa zvivi zvavo;

4:8b.ROM.004.008 Wakaropafadzwa munhu usinganzi naShe unezvivi.

4:9b.ROM.004.009 Zvino kuropafadzwa uku ndokwavakadzingiswa, kana kwavasina kudzingiswa here? Nokuti tinoti, kunaAbhurahamu kutenda kwake kwakanzi ndiko kururama.

4:10b.ROM.004.010 Zvino zvakanzarwo seiko? Atodzingiswa, kana asinakudzingiswa here? Hazvina kunzarwo adzingiswa, asi asina kudzingiswa;

4:11b.ROM.004.011 wakapiwa chiratidzo chokudzingiswa, kuti chive chisimbiso chokururama kwokutenda, kwaakanga anako asati adzingiswa; kuti ave baba vavose vanotenda, kunyange vasina kudzingiswa, kuti vagonzi vakarurama;

4:12b.ROM.004.012 ave baba vokudzingiswa kunaivo vasina kudzingiswa bedzi, asi vanofamba vo mumakwara okutenda kwababa vedu Abhurahamu, kwavaiva nako vasati vadzingiswa.

4:13b.ROM.004.013 Nokuti chipikirwa chokuti uchava mugari wenhaka yenyika hachina kupiwa Abhurahamu kana rudzi rwake nomurairo, asi nokururama kwokutenda.

4:14b.ROM.004.014 Nokuti dai vomurairo vari vagari venhaka, kutenda hakunamaturo, nechipikirwa chinokoneswa;

4:15b.ROM.004.015 nokuti murairo unovuyisa kutsamwa; asinomurairo hapana kudarika vo.

4:16b.ROM.004.016 Saka ndezvokutenda, kuti, zvive zvenyasha; kuti chipikirwa chive nesimba kurudzi rwose; rusati ruri rwomurairo bedzi, asi norwokutenda kwaAbhurahamu vo, iye baba vedu tose,

4:17b.ROM.004.017 (sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Ndakakuita baba vamarudzi mazhinji) pamberi paiye waakatenda, iye Mwari unopa vakafa vupenyu, nokudana zvisipo sezvinenge zviripo.

4:18b.ROM.004.018 Wakatenda netariro pasinetariro, kuti ave baba vamarudzi mazhinji,sezvazvakanga zvataurwa Rudzi rwako ruchadaro

4:19b.ROM.004.019 Haana kushaiwa simba pakutenda, achifunga muviri wake wakanga watofa hawo(zvaiva namakore anenge zana), nokufa kwechizvaro chaSara;

4:20b.ROM.004.020 akatarira chipikirwa chaMwari, haana kunyunyuta nokusatenda, asi wakasimbiswa pakutenda, akakudza Mwari,

4:21b.ROM.004.021 achiziva kwazvo, kuti icho chaakapikira, wakanga anesimba rokuchiita vo.

4:22b.ROM.004.022 Saka zvakanzi kwaari ndiko kururama.

4:23b.ROM.004.023 Zvino hazvina kunyorwa nokuda kwake bedzi, kuti zvakanzarwo kwaari;

4:24b.ROM.004.024 asi nokuda kwedu vo; nesu tichanzarwo, iyesu, tinotenda kunowakamutsa Jesu Ishe wedu, kuvakafa.

4:25b.ROM.004.025 iye wakaiswa kurufu nokuda kwokudarika kwedu, akamutswa nokuda kwokururamiswa kwedu.

5

5:1b.ROM.005.001 Naizvozvo zvitinoruramiswa nokutenda ngative norugare kunaMwari naShe wedu, Jesu Kristu;

5:2b.ROM.005.002 watakawana naye mapindire nokutenda munyasha idzi, dzatinomira madziri; ngatifare netariro yokuvona kubwinya kwaMwari.

5:3b.ROM.005.003 Zvisati zviri izvo bedzi, asi ngatifare vo mumadambudziko, tichiziva kuti kutambudzika kunovuyisa kutsungirira;

5:4b.ROM.005.004 kutsungirira kunovuyisa kuidzwa; kuidzwa kunovuyisa tariro;

5:5b.ROM.005.005 tariro hainyadzisi; nokuti rudo rwaMwari rwakadirwa mumoyo yedu noMweya Mutsvene watakapiwa.

5:6b.ROM.005.006 Nokuti tichiri pakushaiwa simba, Kristu panguva yakafanira wakafira vasingadi Mwari.

5:7b.ROM.005.007 Nokuti zvinorema kuti munhu afire wakarurama; nokuti zvimwe mumwe ungatsunga kufira wakanaka.

5:8b.ROM.005.008 Asi Mwari unoratidza rudo rwake kwatiri pakuti Kristu wakatifira, tichiri vatadzi.

5:9b.ROM.005.009 Zvino, zvatakaruramiswa muropa rake, tichaponeswa zvikuru sei naye pakutsamwa.

5:10b.ROM.005.010 Nokuti zvatakayananiswa naMwari nokufa kwoMwanakomana wake, tichiri vavengi vake, zvikuru tichaponeswa kana tayananiswa novupenyu bwake;

5:11b.ROM.005.011 zvisati zviri izvo bedzi, asi tinofara zvikuru vo munaMwari naShe wedu Jesu Kristu, watakapiwa zvino naye iko kuyananiswa. Adhama naKristu vanofananidzwa.

5:12b.ROM.005.012 Saka, zvivi sezvazvakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nezvivi; saizvozvo rufu rwakasvika kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza;

5:13b.ROM.005.013 nokuti murairo usati wavapo, zvivi zvakanga zviri panyika; asi zvivi hazviverengerwi munhu, kana kusinomurairo.

5:14b.ROM.005.014 Asi rufu rwakabata vushe kubva kunaAdhama kusvikira kunaMosesi, kunyange napakati vo pavasina kutadza nokudarika kwaAdhama, waiva mufananidzo wowakanga achizovuya.

5:15b.ROM.005.015 Asi chipo chokungopiwa hachifanani nokudarika. Nokuti kana vazhinji vakafa nokudarika kwomumwe, zvikuru nyasha dzaMwari nechipo chakavuya nenyasha dzomunhu mumwe, Jesu Kristu, zvakawandira vazhinji.

5:16b.ROM.005.016 Vuye chipo hachifanani nezvivi zvomunhu mumwe wakatadza; nokuti kutonga kwakavuya nomunhu mumwe kuti vapiwe mhosva; asi chipo chokungopiwa chakavuya nokudarika kuzhinji, kuti varuramisirwe.

5:17b.ROM.005.017 Nokuti kana nokudarika kwomumwe rufu rwakabata vushe nomunhu uyu mumwe; zvikuru avo, vakapiwa kuwanda kwenyasha nokwechipo chokururama, vachabata vushe pavupenyu nomumwe, iye Jesu Kristu.

5:18b.ROM.005.018 Naizvozvo, kutonga sezvakwakavuya kuvanhu vose nokudarika kumwe, kuti vapiwe mhosva; saizvozvo nokururamisa kumwe chipo chokungopiwa chakavuya kuvanhu vose, kururamisirwa kwovupenyu kukavapo.

5:19b.ROM.005.019 Nokuti vazhinji sezvavakaitwa vatadzi nokusateerera kwomumwe, saizvozvo vazhinji vachaitwa vakarurama nokuterera kwomumwe.

5:20b.ROM.005.020 Murairo wakapinda vo kuti kudarika kuwande; zvino zvivi pazvakawanda, nyasha dzakawanda nokupfuvurisa;

5:21b.ROM.005.021 kuti zvivi sezvazvakabata vushe parufu, saizvozvo nyasha dzibate vushe nokururama, zviise kuvupenyu bwusingaperi naJesu Kristu Ishe wedu.

6

6:1b.ROM.006.001 Zvino tichatiyiko? Torambira muzvivi kuti nyasha dziwande here?

6:2b.ROM.006.002 Haiswa! Isu takafa kuzvivi, tichagara seiko mukati mazvo?

6:3b.ROM.006.003 Ko hamuzivi here kuti isu takabhabhatidzwa muna Kristu Jesu, takabhabhatidzwa murufu rwake?

6:4b.ROM.006.004 Naizvozvo pakubhabhatidzwa takavigwa pamwe chete naye murufu; kuti saiye Kristu akamutswa kuvakafa nokubwinya kwaBaba, saizvozvo nesu vo tifambe novupenyu bwutsva.

6:5b.ROM.006.005 Nokuti kana takava vamwe naye pakufanana naye, parufu rwake, tichadaro vo pakumuka kwake;

6:6b.ROM.006.006 tichiziva izvi, kuti munhu wedu wekare wakaroverwa pamuchinjikwa pamwe chete naye, kuti muviri wezvivi ushaiswe simba, tirege kuzova varanda vezvivi;

6:7b.ROM.006.007 nokuti wakafa, waruramiswa pazvivi.

6:8b.ROM.006.008 Zvino kana takafa pamwe chete naKristu, tinotenda kuti tichararamavo pamwe chete naye;

6:9b.ROM.006.009 tichiziva kuti Kristu amutswa kuvakafa, haachazofi; rufu haruchavi nesimba pamsoro pake.

6:10b.ROM.006.010 Nokuti pakufa kwake, wakafa kamwe kwazvo kuzvivi; zvino pakurarama kwake, unorarama kunaMwari.

6:11b.ROM.006.011 Saizvozvo nemi vo muzviti makafa kuzvivi, asi kuti muri vapenyu kunaMwari, munaKristu Jesu, Ishe wedu.

6:12b.ROM.006.012 Naizvozvo zvivi ngazvirege kubata vushe mumuviri wenyu unofa, kuti muterere kuchiva kwawo;

6:13b.ROM.006.013 vuye musapa zvivi mitezo yenyu, kuti dzive nhumbi dzokuita zvisakarurama; asi muzvipei imi kunaMwari, savanhu vakararama kuvakafa, nemitezo yenyu kuti dzive nhumbi dzokururama kunaMwari.

6:14b.ROM.006.014 Nokuti zvivi hazvingavi nesimba pamusoro penyu; nokuti hamuzi pasi pomurairo asi pasi penyasha.

6:15b.ROM.006.015 Zvino tichatiyiko? Titadze, nokuti hatizi pasi pomurairo here, asi pasi penyasha? Haiswa!

6:16b.ROM.006.016 Hamuzivi here, kuti uyo wamunozvipa kwaari kuti muve varanda vake kumuterera, kuti muri varanda vaiye wamunoterera; kana vezvivi zvinoisa kurufu, kana vokuterera kunoisa kukururama?

6:17b.ROM.006.017 Asi Mwari ngaavongwe, nokuti imi maiva varanda vezvivi, mukazoterera nomoyo rudzi urwu rwedzidziso yamakaiswa kwairi.

6:18b.ROM.006.018 Makasunungurwa pazvivi, mukava varanda vokururama.

6:19b.ROM.006.019 Ndinotaura nokutaura kwavanhu, nokuda kwokushaiwa simba kwenyama yenyu; nokuti sezvamakapa mitezo yenyu kuti ive varanda vetsvina, navezvisakarurama zvinoisa kunezvisakarurama, saizvozvo ipai mitezo yenyu zvino ive varanda vekururama kunoisa kuvutsvene.

6:20b.ROM.006.020 Nokuti panguva iyo muchiri varanda vezvivi, makanga makasununguka pakururama.

6:21b.ROM.006.021 Zvino maiva nezvibereko zveiko panguva iyo pazvinhu izvo zvamunonyadziswa nazvo zvino? Nokuti kuguma kwazvo ndirwo rufu.

6:22b.ROM.006.022 Asi zvino makasunungurwa pazvivi, mava varanda vaMwari, munezvibereko zvenyu zvinoisa kuvutsvene, vuye kuguma kwazvo ndibwo vupenyu bwusingaperi.

6:23b.ROM.006.023 Nokuti mubairo wezvivi ndirwo rufu; asi chipo chokungopiwa chaMwari ndibwo vupenyu bwusingaperi munaKristu Jesu, Ishe wedu.

7

7:1b.ROM.007.001 Hamuzivi here, hama dzangu, (nokuti ndinotaura navanhu vanoziva murairo), kuti murairo unobata munhu nguva yose yovupenyu bwake?

7:2b.ROM.007.002 Nokuti mukadzi, unomurume, wakasungwa nomurairo kumurume wake, iye achiri mupenyu; asi kana murume afa, wasunungurwa pamurairo womurume.

7:3b.ROM.007.003 Naizvozvo zvino kana akawanikwa nomumwe murume, murume wake achiri mupenyu, uchanzi chifeve asi kana murume wake afa,wasununguka pamurairo, zvino haazi chifeve kunyange akawanikwa nomumwe murume.

7:4b.ROM.007.004 Saka, hama dzangu nemi vo makaitwa vakafa kumurairo nomuviri waKristu; kuti muve womumwe, iye wakamutswa pavakafa, kuti tiberekere Mwari zvibereko.

7:5b.ROM.007.005 Nokuti panguva iyo tichiri munyama, kuchiva kwezvivi, kwakamutswa nomurairo, kwakabata mumitezo yedu kuti kubereke zvibereko zvinoisa kurufu.

7:6b.ROM.007.006 Asi zvino takasunungurwa pamurairo, takafa kunaizvozvo zvatakanga takasungwa nazvo; naizvozvo tinobatira Mwari nomweya mutsva, tisingabatiri nezvakanyorwa zvakare.

7:7b.ROM.007.007 Zvino tichatiyiko? Murairo zvivi here? Haiswa! Asi handizaiziva zvivi kana murairo usipo; nokuti handizaiziva kuchiva, kana murairo usina kuti: Usachiva;

7:8b.ROM.007.008 zvino zvivi zvakawana nzira nomurairo, zvikaita mandiri mitovo yose yokuchiva; nokuti kunze kwomurairo zvivi zvakafa.

7:9b.ROM.007.009 Ini ndaiva mupenyu kare kunze kwomurairo, asi mutemo uchizosvika, zvivi zvakamuka, ini ndikafa;

7:10b.ROM.007.010 nomutemo iwo waifanira kuisa muvupenyu, ndakauwana uchiisa kurufu;

7:11b.ROM.007.011 nokuti zvivi zvakawana nzira nomutemo, zvikandinyengera zvikandivuraya nawo.

7:12b.ROM.007.012 Naizvozvo murairo mutsvene, nomutemo mutsvene, wakarurama, wakanaka.

7:13b.ROM.007.013 Ko zvino zvakanaka zvakazova rufu kwandiri here? Haiswa! Asi ndizvo zvivi, kuti zviratidzwe kuti zvivi, zvakandiitira rufu nezvakanaka; kuti nomutemo zvivi zvive zvakaipa kwazvokwazvo.

7:14b.ROM.007.014 Nokuti tinoziva kuti murairo ndowomweya; asi ini ndiri wenyama, ndakatengeswa pasi pezvivi.

7:15b.ROM.007.015 Nokuti zvandinoita handizvizivi; nokuti zvandinoita hazvizi izvo zvandinoda; zvandinoda; handizvo zvandinoita; asi zvandinovenga ndizvo zvandinoita..

7:16b.ROM.007.016 Zvino kana ndichiita izvo zvandisingadi, ndinobvumira kuti murairo wakanaka.

7:17b.ROM.007.017 Zvino handizati ndichiri ini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri.

7:18b.ROM.007.018 Nokuti ndinoziva kuti mukati mangu, imo munyama yangu, hamugari chinhu chakanaka; nokuti kuda kuripo kwandiri, asi kuita zvakanaka hakupo.

7:19b.ROM.007.019 Nokuti zvakanaka, zvandinoda, handizviiti; asi zvakaipa, zvandisingadi, ndizvo zvandinoita.

7:20b.ROM.007.020 Zvino kana ndichiita zvandisingadi, handisini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri.

7:21b.ROM.007.021 Naizvozvo ndinowana murairo uyu kuti kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo kwandiri.

7:22b.ROM.007.022 Nokuti ndinofarira murairo waMwari nomunhu womukati;

7:23b.ROM.007.023 asi ndinovona mumwe murairo pamitezo yangu, unorwa nomurairo womurangariro wangu, unonditapira kumurairo wezvivi uri pamitezo yangu.

7:24b.ROM.007.024 Ndiri munhu uri pakutambudzika! Ndianiko uchandisunungura pamuviri worufu urwu?

7:25b.ROM.007.025 Mwari ngaavongwe, naJesu Kristu, Ishe wedu. Naizvozvo nomurangariro ndinobatira Mwari, asi nenyama murairo wezvivi.

8

8:1b.ROM.008.001 Naizvozvo hakuchina kupiwa mhosva kunavari munaKristu Jesu vasingafambi nenyama asi nomweya.

8:2b.ROM.008.002 Nokuti murairo woMweya wovupenyu munaKristu Jesu wakandisunungura pamurairo wezvivi noworufu.

8:3b.ROM.008.003 Nokuti, zvakanga zvisingakwaniswi nomurairo, pakushaiwa kwawo simba nokuda kwenyama, Mwari pakutuma kwake Mwanakomana, wake nomufananidzo wenyama yezvivi, nokuda kwezvivi, wakapa mhosva zvivi zviri munyama;

8:4b.ROM.008.004 kuti zvakarebwa nomurairo zviitike matiri, isu tisingafambi nenyama, asi nomweya.

8:5b.ROM.008.005 Nokuti vari vomweya, vanofunga zvomweya.

8:6b.ROM.008.006 Nokuti kufunga kwenyama ndirwo rufu; asi kufunga kwomweya ndibwo vupenyu norugare;

8:7b.ROM.008.007 nokuti kufunga kwenyama kunovengana naMwari; nokuti hakuzviisi pasi pomurairo waMwari; hakugoni vo;

8:8b.ROM.008.008 zvino vari munyama havagoni kufadza Mwari.

8:9b.ROM.008.009 Asi imi hamuzi munyama, asi mumweya, kana Mweya waMwari achigara zvirokwazvo mukati menyu. Asi kana munhu asinoMweya waKristu, haazi wake.

8:10b.ROM.008.010 Kana Kristu ari mukati menyu, muviri wakafa nokuda kwezvivi, asi mweya mupenyu nokuda kwokururama.

8:11b.ROM.008.011 Zvino kana Mweya waiyeyo wakamutsa Jesu kuvakafa achigara mukati menyu, iye wakamutsa Kristu Jesu kuvakafa, uchaponesa miviri yenyu inofa noMweya wake, unogara mukati menyu.

8:12b.ROM.008.012 Naizvozvo, hama dzangu, hatinengava nenyama, kuti tirarame netsika dzenyama.

8:13b.ROM.008.013 Nokuti kana muchifamba netsika dzenyama, muchafa; asi kana muchivuraya mabasa omuviri noMweya, muchararama;

8:14b.ROM.008.014 nokuti vose vanotungamirirwa noMweya waMwari, ndivo vana vaMwari.

8:15b.ROM.008.015 Nokuti hamuna kupiwa mweya wovuranda kuti mutye zve, asi makapiwa mweya wokuitwa vana, watinodana nawo, tichiti: Aba, baba.

8:16b.ROM.008.016 Mweya amene unopupurirana nomweya wedu, kuti tiri vana vaMwari;

8:17b.ROM.008.017 zvino kana tiri vana, tiri vadyi venhaka; vadyi venhaka yaMwari, vadyi venhaka pamwe chete naKristu; kana tichitambudzika pamwe chete naye, tichakudzwa vo pamwe chete naye.

8:18b.ROM.008.018 Nokuti ndinoti madambudziko enguva ino haana kufanira kuenzaniswa nokubwinya kuchazoratidzwa kwatiri.

8:19b.ROM.008.019 Nokuti zvisikwa zvinotarisisa zvikuru zvichimirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari.

8:20b.ROM.008.020 Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pezvisingagari, zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye wakazviisa pasi pazvo.

8:21b.ROM.008.021 zvichitarira kuti zvisikwa zvimene zvisunungurwe vo pavuranda bwokuvora, zviiswe pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari.

8:22b.ROM.008.022 Nokuti tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera nokurwadziwa pamwe chete kusvikira zvino.

8:23b.ROM.008.023 Zvisati zviri izvo bedzi, asi nesu vo, kunyange tinezvibereko zvokutanga zvoMweya, nesu timene tinogomera mukati medu, tichimirira kuitwa kwedu vana, ndiko kudzikinurwa kwomuviri wedu.

8:24b.ROM.008.024 Nokuti takaponeswa netariro; nokuti ndiani unotarira chaanovona?

8:25b.ROM.008.025 Asi kana tichitarira chatisingavoni, tinochimirira nokutsungirira.

8:26b.ROM.008.026 Saizvozvo Mweya unobatirana vo nokusava nesimba kwedu; nokuti hatizivi kunyengetera zvakafanira; asi Mweya amene unotinyengeterera nokugomera kusingataurwi;

8:27b.ROM.008.027 uyo unonzera moyo, ndiye unoziva kufunga kwoMweya, nokuti unonyengeterera vatsvene sezvinoda Mwari.

8:28b.ROM.008.028 Tinoziva kuti zvinhu zvose zvinobata pamwechete kuti zviitire zvakanaka avo vanoda Mwari, avo vakadanwa sezvaakafunga.

8:29b.ROM.008.029 Nokuti vaakaziva kare, ndivo vaakatemera vo kare, kuti vafanane nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti ave dangwe pakati pehama zhinji;

8:30b.ROM.008.030 avo vaakatemera kare, ndivo vaakadana vo; vaakadana, ndivo vaakaruramisa vo; vaakaruramisa, ndivo vaakakudza vo.

8:31b.ROM.008.031 Zvino tichatiyiko pa zvinhu izvi? Kana Mwari achitirwira, ndianiko uchatirwisa?

8:32b.ROM.008.032 Iye usina kuramba kunyange noMwanakomana wake, asi wakamupa chose nokuda kwedu tose, ungarega seiko kutipa vo zvose pamwe chete naye?

8:33b.ROM.008.033 Ndianiko uchakwirira vasanangurwa vaMwari? Mwari ndiye unoruramisa;

8:34b.ROM.008.034 ndianiko uchavapa mhosva? Kristu Jesu ndiye wakafa, zvikuru ndiye wakamutswa kuvakafa, uri kurudyi rwaMwari, unotinyengeterera vo.

8:35b.ROM.008.035 Ndianiko uchatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambudzika, kana nhamo, kana kuvengwa, kana nzara, kana kushaiwa zvokufuka, kana njodzi, kana munondo here?

8:36b.ROM.008.036 Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Nokuda kwenyu tinovurawa zuva rose; Takanzi tiri makwai anobayiwa.

8:37b.ROM.008.037 Kwete, pazvinhu izvi zvose tiri vakundi nokupfuvurisa naiye wakatida.

8:38b.ROM.008.038 Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana vupenyu, kana vatumwa, kana vanesimba, kana zvazvino, kana zvinovuya kana masimba.

8:39b.ROM.008.039 kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chinhu chimwe chakasikwa, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, ruri munaKristu Jesu, Ishe wedu.

9

9:1b.ROM.009.001 Ndinotaura zvirokwazvo munaKristu, handirevi nhema, hana yangu ichindipupurira muMweya Mutsvene,

9:2b.ROM.009.002 kuti ndineshungu kwazvo nokuchema kusingaperi mumoyo mangu.

9:3b.ROM.009.003 Nokuti ndaida kuti ini ndimene ndive munhu wakatukwa, wakaparadzaniswa naKristu nokuda kwehama dzangu, ivo vorudzi rwangu panyama;

9:4b.ROM.009.004 ndivo vaIsraeri; kuitwa vana, nokubwinya, nesungano, nokupiwa murairo, nokunamata Mwari, nezvipikirwa, ndezvavo;

9:5b.ROM.009.005 madzibaba ndaavo, naKristu wakabva kwavari panyama, uri pamusoro pavose, Mwari unokudzwa nokusingaperi. Ameni.

9:6b.ROM.009.006 Asi handiti shoko raMwari rakakona. Nokuti vakabva kuvaIsraeri havazi vaIsraeri vose;

9:7b.ROM.009.007 navari vorudzi rwaAbhurahamu havazi vana vake vose; asi zvinonzi: KunaIsaka ndiko kuchatumidzwa rudzi rwako.

9:8b.ROM.009.008 Ndokuti havazi vana venyama vari vana vaMwari; asi vana vokupikirwa, ndivo vanonzi rudzi.

9:9b.ROM.009.009 Nokuti shoko rakapikirwa ndirori: Nenguva yakaita seino ndichavuya, Sara uchava nomwanakomana.

9:10b.ROM.009.010 Hazvizi izvozvo bedzi; asi Rebeka vo, wakati ava nemimba kunomumwe, iye Isaka, baba vedu

9:11b.ROM.009.011 nokuti vana vasati vaberekwa, vasati vaita zvakanaka kana zvakaipa, kuti kufunga kwaMwari pakusanangura kwake kusimbiswe, kusingabvi pamabasa, asi kunaiye unodana,

9:12b.ROM.009.012 zvakanzi kwaari: Mukuru uchashumira mudoko.

9:13b.ROM.009.013 Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.

9:14b.ROM.009.014 Zvino tichatiyiko? Kusarurama kuripo kunaMwari here? Haiswa!

9:15b.ROM.009.015 Nokuti unoti kunaMosesi: Ndichanzwira ngoni wandinonzwira ngoni, ndichanzwira tsitsi wandinonzwira tsitsi.

9:16b.ROM.009.016 Naizvozvo hazvibvi kunounoda, kana kunounomhanya, asi kunaMwari, munzwiri wengoni.

9:17b.ROM.009.017 Nokuti Rugwaro runoti kunaFarao: Ndizvo zvandakakumutsira, kuti zita rangu riparidzwe panyika yose.

9:18b.ROM.009.018 Naizvozvo unonzwira ngoni waanoda; vuye unowomesera moyo waanoda.

9:19b.ROM.009.019 Zvino iwe ungati kwandiri: Iye uchapireiko mhosva? Nokuti ndianiko unoramba kuda kwake?

9:20b.ROM.009.020 Ko zvino iwe munhu, ndiwe aniko, unopindura Mwari? Ko chakavumbwa chingati kunowakachivumba: Wandiitireiko kudai?

9:21b.ROM.009.021 Ko muvumbi wehari haanesimba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe aite mudziyo mumwe wakakudzwa, nomumwe usina kukudzwa?

9:22b.ROM.009.022 Zvino tichatiyiko kana Mwari, kana akanga achida kuratidza kutsamwa kwake, nokuzivisa simba rake, akaita nomoyo murefu zvikuru pamusoro pemidziyo yokutsamwirwa, yakagadzirirwa kuparadzwa,

9:23b.ROM.009.023 kuti azivise kufuma kwokubwinya kwake pamusoro pemidziyo yengoni, yaakanga agadzirira kubwinya,

9:24b.ROM.009.024 iyesu vakadanwa vo naye, tisingabvi kuvaJudha bedzi, asi kuvahedheni vo?

9:25b.ROM.009.025 Sezvaanoreva vo pabhuku yaHosea, achiti: Avo vakanga vasi vanhu vangu; Ndichavaidza vanhu vangu; Naiye wakanga asi mudikanwa, ndichamuidza mudikanwa.

9:26b.ROM.009.026 Zvichaitika kuti paya pakanga parebwa kwavari: Hamuzi vanhu vangu, Ipapo vachaidzwa vanakomana vaMwari mupenyu.

9:27b.ROM.009.027 NaIsaya unodana pamusoro pavaIsraeri achiti kunyange kuwanda kwavana vaIsraeri kwakaita sejecha regungwa, vakasara vachaponeswa;

9:28b.ROM.009.028 nokuti Ishe uchaita panyika shoko rake, nokuripedzisa, nokukurumidza nokururama.

9:29b.ROM.009.029 Sezvaakamboreva Isaya vo, achiti: Dai Ishe wehondo asina kutisiyira rudzi, Tingadai takava seSodhoma, takaitwa seGomora.

9:30b.ROM.009.030 Zvino tichatiyiko? Tichati, vahedheni vasina kutsvaka kururama, ndivo vakawana kururama, iko kururama kwokutenda;

9:31b.ROM.009.031 asi vaIsraeri vakati vachitsvaka murairo wokururama havana kusvika pamurairo wokururama.

9:32b.ROM.009.032 Neiko? Nokuti havana kutsvaka nokutenda, asi zvinenge namabasa omurairo. Vakagumburwa nebwe rinogumbusa.

9:33b.ROM.009.033 Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Tarira, ndinoisa paZiyoni ibwe rokugumbusa, nedombo rokupinganidza; Unotenda kwaari, haanganyadziswi.

10

10:1b.ROM.010.001 Hama dzangu, kuda kwomoyo wangu nokukumbira kwangu kunaMwari pamusoro paIsraeri ndiko, kuti vaponeswe.

10:2b.ROM.010.002 Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi havaiti nokuziva.

10:3b.ROM.010.003 Nokuti, zvavakanga vasingazivi kururama kwaMwari, vakatsvaka kumisa kururama kwavo vamene, vakasazviisa pasi pokururama kwaMwari.

10:4b.ROM.010.004 Nokuti Kristu ndimugumo womurairo pakutsvaka kururama, kuno mumwe nomumwe unotenda.

10:5b.ROM.010.005 Nokuti Mosesi unonyora, achiti, munhu, unoita kururama, kunorebwa nomurairo, uchararama nazvo.

10:6b.ROM.010.006 Asi kururama kunobva pakutenda, kunoreva kudai: Usati mumoyo mako: Ndianiko uchakwira kudenga? (ndiko kuburusa Kristu;)

10:7b.ROM.010.007 kana, ndianiko uchaburukira kwakadzikadzika? (ndiko kubudisa Kristu kuvakafa.)

10:8b.ROM.010.008 Asi kunoreveiko? Shoko riri pedo newe, mumuromo mako, nomumoyo mako; ndiro shoko rokutenda ratinoparidza;

10:9b.ROM.010.009 kuti, kana uchipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe, nokutenda mumoyo mako, kuti Mwari wakamumutsa kuvakafa, uchaponeswa;

10:10b.ROM.010.010 nokuti munhu unotenda nomoyo, ndokururamiswa; unopupura nomuromo, ndokuponeswa.

10:11b.ROM.010.011 Nokuti Rugwaro runoti: Aninani unotenda kwaari, haanganyadziswi,

10:12b.ROM.010.012 Nokuti muJudha nomuGiriki havasiyani; nokuti mumwe ndiye Ishe wavose, wakafuma kunavose vanodana kwaari;

10:13b.ROM.010.013 nokuti aninani unodana kuzita raShe, uchaponeswa.

10:14b.ROM.010.014 Zvino vachagodana seiko kunaiye, wavasina kutenda kwaari? Vachatenda seiko kunaiye, wavasina kunzwa? Vachanzwa seiko kana kusinomuparidzi?

10:15b.ROM.010.015 Vachaparidza seiko, kana vasingatumwi? Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Dzakanaka sei tsoka dzavanoparidza Evhangeri yorugare, namashoko omufaro ezvinhu zvakanaka?

10:16b.ROM.010.016 Asi vose havana kuterera mashoko omufaro. Nokuti Isaya unoti: Ishe, ndianiko wakatenda zvatakaparidza?

10:17b.ROM.010.017 Naizvozvo kutenda kunovuya nokunzwa, nokunzwa kunovuya neshoko raMwari.

10:18b.ROM.010.018 Asi ndinoti: Havana kunzwa here? Hongu, zvirokwazvo, Inzwi ravo rakabuda kunyika yose, Namashoko avo kumigumo yenyika.

10:19b.ROM.010.019 Asi ndinoti: VaIsraeri havanakuziva here? Pakutanga Mosesi unoti: Ndichamutsa kutsamwa kwenyu norudzi rusinganzwisisi.

10:20b.ROM.010.020 NaIsaya, asingatyi, unoti: Ndakavonekwa navasina kundibvunza.

10:21b.ROM.010.021 Asi kuvaIsraeri unoti: Ndakatambunudzira mavoko angu zuva rose kuvanhu vasingatereri, navanokakavara.

11

11:1b.ROM.011.001 Zvino ndinoti: Ko Mwari wakarasha vanhu vake here? Haiswa! Nokuti neni vo ndiri muIsraeri, worudzi rwaAbhurahamu, weimba yaBenjanimi.

11:2b.ROM.011.002 Mwari haana kurasha vanhu vake vaakaziva pakutanga. Ko hamuzivi kuti Rugwaro runoti kudini pamashoko aEria here? Kuti unokumbira kunaMwari pamusoro pavaIsraeri, achiti:

11:3b.ROM.011.003 Ishe, vakavuraya vaporofita venyu, vakaputsa aritari dzenyu, ini ndakasiyiwa ndoga, zvino vanotsvaka kundivuraya.

11:4b.ROM.011.004 Asi Mwari unomupindureiko? Unoti: Ndakazvisiyira varume vanezvuru zvinomwe, vasina kufugamira Baari.

11:5b.ROM.011.005 Zvino saizvozvo nenguva inovo variko vakasara, vakasanangurwa nenyasha.

11:6b.ROM.011.006 Zvino kana kusanangura kuri kwenyasha, hakuzati kuchiri kwamabasa; kana zvisakadaro, nyasha hadzichiri nyasha. Asi kana kuri kwamabasa hakuzati kuchiri kwenyasha. Kana zvisakadaro basa harizati richibasa.

11:7b.ROM.011.007 Zvino tichatiyiko? VaIsraeri havana kuwana zvavakanga vachitsvaka, asi vakasanangurwa ndivo vakazviwana; vamwe vakawomeswa,

11:8b.ROM.011.008 sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Mwari wakavapa mweya wehope; meso, kuti varege kuvona, nenzeve, kuti varege kunzwa, kusvikira zuva ranhasi.

11:9b.ROM.011.009 NaDhavhidhi vo unoti: Tafura yavo ngaiitwe musungo, neriva,

11:10b.ROM.011.010 Meso avo ngaasvibirwe, varege kuvona; Mukotamise musana yavo misi yose.

11:11b.ROM.011.011 Zvino ndinoti: Vakagumbuswa kuti vawe here? Haisva! Asi nokuwa kwavo ruponeso rwakasvika kuvahedheni, kuti vamutsirwe godo.

11:12b.ROM.011.012 Zvino kana kuwa kwavo kwakafumisa nyika, nokutapudzwa kwavo kwakafumisa vahedheni, zvikuru sei kuzara kwavo?

11:13b.ROM.011.013 Ndinotaura kwamuri, imi vahedheni. Zvandiri muapostora wavahedheni, ndinokudza basa rangu.

11:14b.ROM.011.014 Zvimwe ndingamutsa godo kunavenyama yangu, ndiponese vamwe vavo.

11:15b.ROM.011.015 Nokuti kana kurashwa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, kugamuchirwa kwavo kuchagoveiko, asi vupenyu pakufa?

11:16b.ROM.011.016 Zvino kana chibereko chokutanga chiri chitsvene, bundu rose rakadaro vo; kana mudzi uri mutsvene, matavi akadaro vo;

11:17b.ROM.011.017 Zvino, kana mamwe matavi akavhuniwa, iwe, muorivhi wokudondo ukabatanidzwa pakati pawo, ukava nomugove pamwe chete nawo pamudzi napamafuta omuorivhi;

11:18b.ROM.011.018 usazvikudza kumatavi; kana uchizvikudza, hauzi iwe unotakura mudzi, asi mudzi ndiwo unokutakura iwe.

11:19b.ROM.011.019 Zvino iwe uchati, matavi akavhuniwa, kuti ini ndibatanidzwe.

11:20b.ROM.011.020 Ndizvozvo; vakavhuniwa nokusatenda kwavo, iwe unomira nokutenda kwako. Usazvikudza, asi utye;

11:21b.ROM.011.021 nokuti kana Mwari asina kurega matavi awo, haangakuregi newe vo.

11:22b.ROM.011.022 Zvino tarira vunyoro nokukasharara kunavakawa, asi kwauri vunyoro bwaMwari, kana uchigara pavunyoro bwake;kana zvisakadaro, newe uchatemwa vo.

11:23b.ROM.011.023 Naivo vo, kana vasingagari pakusatenda kwavo, vachabatanidzwa; nokuti Mwari unogona kuvabatanidza zve.

11:24b.ROM.011.024 Nokuti kana iwe wakatemwa kumuorivhi, uri wokudondo pakusikwa kwawo, ukabatanidzwa pamuorivhi wakanaka, zvichipesana nokusikwa kwazvo zvikuru sei ava vari matavi awo,vangabatanidzwa pamuorivhi wavo!

11:25b.ROM.011.025 Nokuti hama dzangu, handidi kuti musaziva chakavanzika ichi, kuti murege kuva namanyawi; kuti kuwomeswa kwomoyo kwakavuya pamusoro pavamwe vavaIsraeri kusvikira kuzara kwavahedheni kwapinda;

11:26b.ROM.011.026 naizvozvo rudzi rwose rwavaIsraeri ruchaponeswa; sezvazvakanyorwa zvichinzi: PaZiyoni pachabuda Musununguri; Uchabvisa kusada Mwari kunaJakobho;

11:27b.ROM.011.027 Iyi ndiyo sungano yangu navo, Musi wandichabvisa zvivi zvavo.

11:28b.ROM.011.028 Kana iri Evhangeri, ivo vavengi vaMwari nokuda kwenyu; asi kana kuri kusanangurwa, vadikanwa nokuda kwamadzibaba.

11:29b.ROM.011.029 Nokuti zvipo zvaMwari nokudana kwake hazvishandurwi.

11:30b.ROM.011.030 Nokuti semi kare makanga musingatereri Mwari, asi zvino makanzwirwa ngoni nokusaterera kwavo,

11:31b.ROM.011.031 saizvozvo naivo zvino havana kuterera, kuti nengoni dzakaitirwa imi naivo vanzwirwe vo ngoni.

11:32b.ROM.011.032 Nokuti Mwari wakavapfigira vose pakusaterera kwavo, kuti avanzwire ngoni vose.

11:33b.ROM.011.033 Haiwa kufuma kwokuchenjera nokuziva kwaMwari kwakadzika sei! Kutonga kwake hakunganzverwi, nenzira dzake hadzingarondwi!

11:34b.ROM.011.034 Nokuti ndianiko wakanga ari murairi wake?

11:35b.ROM.011.035 Ndianiko wakatanga kumupa, kuti aripirwe zve?

11:36b.ROM.011.036 Nokuti zvose zvinobva kwaari, zviripo naye, zviripo nokuda kwake. Ngaave nokubwinya nokusingaperi. Ameni.

12

12:1b.ROM.012.001 Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti muise miviri yenyu, chive chibayiro chipenyu, chitsvene, chinofadza Mwari, ndiko kunamata kwenyu kwomoyo.

12:2b.ROM.012.002 Musaenzaniswa nenyika ino; asi mushandurwe murangariro wenyu uchivandudzwa, kuti muidze muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana. Zvipo zvaMwari, noRudo kunavamwe.

12:3b.ROM.012.003 Nokuti nenyasha dzandakapiwa, ndinovudza mumwe nomumwe uri pakati penyu, kuti arege kuzvifunga kuti mukuru kupfuvura paanofanira kufunga napo; asi afunge nokufunga kwakachenjera, mumwe nomumwe nechiyero chokutenda, sezvaakagoverwa naMwari.

12:4b.ROM.012.004 Nokuti sezvatinemitezo mizhinji pamuviri mumwe, asi mitezo yose hainebasa rimwe chete;

12:5b.ROM.012.005 saizvozvo isu, tiri vazhinji, tiri muviri mumwe chete munaKristu, mumwe nomumwe ari mutezo wavamwe.

12:6b.ROM.012.006 Tinezvipo zvakasiyana, patakapiwa nyasha napo; kana kuri kuporofita, ngatiprofite zvakaenzana nokutenda kwedu;

12:7b.ROM.012.007 kana kuri kushumira, ngazvivonekwe pakushumira kwedu; kana kuri kudzidzisa, pakudzidzisa kwedu;

12:8b.ROM.012.008 kana kuri kuraira, pakuraira kwedu; unopa, ngaape nomoyo wose; uri mukuru, ngaabate nokushingaira; unoitira ngoni, ngaaite nomufaro.

12:9b.ROM.012.009 Rudo ngarurege kuva nokunyengera. Vengai zvakaipa; namatirai zvakanaka.

12:10b.ROM.012.010 Kana ruri rudo pakati pavatendi, danai norudo rukuru; pakukudzana tungamiriranai.

12:11b.ROM.012.011 Regai kuva novusimbe pakushingaira; pisai pamweya; batirai Ishe;

12:12b.ROM.012.012 farai patariro; tsungirirai pakutambudzika; rambai muchinyengetera;

12:13b.ROM.012.013 govanai navatsvene pakushaiwa kwavo; itirai vaeni rudo.

12:14b.ROM.012.014 Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai, musatuka.

12:15b.ROM.012.015 Farai navanofara; chemai navanochema.

12:16b.ROM.012.016 Ivai nomoyo mumwe pakati penyu. Musatsvaka zvinorumbidzwa, asi mufambidzane navanozvininipisa. Musati pamoyo yenyu makachenjera.

12:17b.ROM.012.017 Musatsiva munhu chakaipa kana akakuitirai chakaipa. Tsvakai zvakarurama pamberi pavanhu vose.

12:18b.ROM.012.018 Kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.

12:19b.ROM.012.019 Musatsiva, vadikanwa, asi munzvenge kutsamwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira ndizvo zvinoreva Ishe.

12:20b.ROM.012.020 Asi kana muvengi wako aziya, umupe kudya; kana afa nenyota, umupe kunwa; nokuti kana uchiita izvozvo, uchatutira mazimbe omoto pamusoro wake.

12:21b.ROM.012.021 Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.

13

13:1b.ROM.013.001 Munhu mumwe nomumwe ngaazviise pasi pamasimba makuru; nokuti hakunesimba risina kubva kunaMwari; iwo aripo akaiswapo naMwari.

13:2b.ROM.013.002 Saka unoramba simba, unodzivisa zvakaiswapo naMwari; zvino ivo vanodzivisa, vanozvitorera mhosva.

13:3b.ROM.013.003 Nokuti vabati havatyisi unobata basa rakanaka, asi rakaipa. Unoda kusatya simba here? Ita zvakanaka, ugorumbidzwa navo;

13:4b.ROM.013.004 nokuti ndiye mushumiri waMwari kwauri, kuti akuiitire zvakanaka. Asi kana uchiita zvakaipa, chitya; nokuti iye haabati munondo pasina; nokuti ndiye mushumiri waMwari, mutsivi wokutsamwa kunounoita zvakaipa.

13:5b.ROM.013.005 Naizvozvo munofanira kuzviisa pasi pavo, musingadaro nokuda kwokutsamwa bedzi, asi nokuda kwehana vo.

13:6b.ROM.013.006 Nokuti nemhaka iyo munoripa vo mutero; nokuti ndivo varanda vaMwari vanoramba vachingobatira chinhu icho.

13:7b.ROM.013.007 Ripirai vose zvavanofanira kuripirwa: Mutero kunavanofanira kutererwa; muripo kunavanofanira kuripirwa; kutya kunavanofanira kutyiwa; kukudza kunavanofanira kukudzwa. Rudo runozadzisa murairo.

13:8b.ROM.013.008 Musava nechikwerete nomunhu, asi chokudana; nokuti unoda mumwe, wazadzisa murairo.

13:9b.ROM.013.009 Nokuti izvo zvokuti: Usaita vupombwe, usavuraya, usaba, usapupurira wokwako nhema, usachiva; kana murairo upi noupi, zvakavunganidzwa pashoko rokuti: Ude wokwako sezvaunozvida iwe.

13:10b.ROM.013.010 Rudo haruitiri wokwako zvakaipa; naizvozvo rudo runozadzisa murairo. Tinofanira kurinda.

13:11b.ROM.013.011 Zvikuru ndinoreva izvozvi, zvatinoziva nguva, kuti zvino yatova nguva yokumuka kwenyu pahope; nokuti zvino kuponeswa kwedu kwava pedo kupfuvura zuva ratakatanga kutenda naro.

13:12b.ROM.013.012 Vusiku bwapfuvura, kwoedza; naizvozvo ngatirashe mabasa erima, ngatishonge nhumbi dzokurwa dzechiedza.

13:13b.ROM.013.013 Ngatifambe nenzira yakafanira sapamasikati; tisingafambi nokutamba kwakaipa, nokubatwa, kana novupombwe, novutere, kana negakava, negodo.

13:14b.ROM.013.014 Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, musatsvaka kufadza nyama pakuchiva kwayo.

14

14:1b.ROM.014.001 Zvino gamuchirai usinesimba pakutenda kwake musingaiti gakava naye pamusoro pokufunga kwake.

14:2b.ROM.014.002 Mumwe munhu unokutenda kuti ungadya zvose; asi usinesimba unodya mirivo.

14:3b.ROM.014.003 Unodya ngaarege kuzvidza usingadyi; usingadyi ngaarege kupa mhosva unodya; nokuti Mwari wakamugamuchira.

14:4b.ROM.014.004 Iwe ndiwe aniko unopa muranda womumwe munhu mhosva? Iye unomira kana unowa pamberi paShe wake. Uchamiswa hake, nokuti Ishe unesimba rokumumisa.

14:5b.ROM.014.005 Mumwe munhu unoti zuva rimwe rinopfuvura rimwe; mumwe unoti mazuva ose akafanana. Mumwe nomumwe ngaazive kwazvo mumoyo make.

14:6b.ROM.014.006 Uyo unochengeta zuva, unorichengeta nokuda kwaShe; uyo usingachengeti zuva haarichengeti kunaShe, uyo unodya, unodya nokuda kwaShe, nokuti unovonga Mwari. Uyo usingadyi kunaShe haadyi asi unovonga Mwari.

14:7b.ROM.014.007 Nokuti hakunomumwe wedu unozviraramira iye oga, hakuna unozvifira iye oga.

14:8b.ROM.014.008 Nokuti kana tichirarama tinoraramira Ishe; kana tichifa, tinofira Ishe; zvino kana tichirarama, kana tichifa tiri vaShe.

14:9b.ROM.014.009 Nokuti Kristu wakafira izvezvi, akamukira vo izvezvi akararama kuti ave Ishe wavapenyu navakafa.

14:10b.ROM.014.010 Zvino iwe, unopireiko hama yako mhosva? Kana newe vo, unozvidzireiko hama yako? Nokuti isu tose tichamira pachigaro chokutonga chaKristu.

14:11b.ROM.014.011 Nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Novupenyu bwangu ndizvo zvinoreva Ishe ibvi rimwe nerimwe richandifugamira, Rurimi rumwe norumwe ruchakudza Mwari.

14:12b.ROM.014.012 Naizvozvo mumwe nomumwe we du uchazvidavirira kunaMwari.

14:13b.ROM.014.013 Naizvozvo ngatirege kuramba tichitongana; asi zvirinani kuti mutonge, kuti munhu arege kuisa chigumbuso kana chinopinganidza pamberi pehama yake.

14:14b.ROM.014.014 Ndinoziva, nokuzivisisa kwazvo munaShe Jesu, kuti hakunechinhu chinetsvina chimene; asi uyo unoti, chinetsvina, kwaari chinetsvina.

14:15b.ROM.014.015 Nokuti kana hama yako ichisvibiswa moyo nokuda kwezvokudya, iwe hauchafambi norudo. Usaparadza nezvokudya zvako uyo wakafirwa naKristu.

14:16b.ROM.014.016 Naizvozvo kunaka kwenyu ngakurege kuzvidzwa.

14:17b.ROM.014.017 Nokuti vushe bwaMwari hazvizi zvokudya kana zvokunwa, asi kururama, norugare, nomufaro muMweya Mutsvene.

14:18b.ROM.014.018 Nokuti unobatira Kristu pazvinhu izvi, unofadza Mwari, vuye unotendwa navanhu.

14:19b.ROM.014.019 Naizvozvo ngatitsvake izvo zvinovuyisa rugare nezvatingasimbisana nazvo.

14:20b.ROM.014.020 Regai kuparadza basa raMwari nokuda kwezvokudya. Zvinhu zvose zvakanaka hazvo: asi zvakaipa kunounodya akagumbuka.

14:21b.ROM.014.021 Zvakanaka kusadya nyama, kana kusanwa waini, kana kusaita chimwe chinhu chingagumbusa hama yako, kana kuipa vutera.

14:22b.ROM.014.022 Unokutenda here? Iva nako kuve kwako pamberi paMwari, wakaropafadzwa usingazvipi mhosva pachinhu chaanotendera.

14:23b.ROM.014.023 Asi uyo unonyunyuta wava nemhosva kana achidya, nokuti haadyi nokutenda; zvose zvisingabvi pakutenda zvivi.

15

15:1b.ROM.015.001 Zvino isu, tinesimba, tinofanira kutakura vutera bwavasinesimba, tisingazvifadzi.

15:2b.ROM.015.002 Mumwe nomumwe wedu ngaafadze wokwake pane zvakanaka zvinosimbisa.

15:3b.ROM.015.003 Nokuti Kristu vo haana kuzvifadza; asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Kuzvidza kwavakakuzvidza nako kwakawira pamusoro pangu.

15:4b.ROM.015.004 Nokuti zvose zvakanyorwa kare, zakanyorwa kuti isu tidzidze kuti tive netariro inobva pakutsungirira napakunyaradza kwaMagwaro.

15:5b.ROM.015.005 Zvino Mwari wokutsungirira nowokunyaradza ngaakupei moyo mumwe pakati penyu, sezvinoda Kristu Jesu;

15:6b.ROM.015.006 kuti mukudze Mwari, baba vaShe wedu Jesu Kristu, nomoyo mumwe vuye nomuromo mumwe.

15:7b.ROM.015.007 Saka gamuchirai, Kristu sezvaakatigamuchira, kuti Mwari akudzwe.

15:8b.ROM.015.008 Nokuti ndinoti: Jesu Kristu wakaitwa mushumiri wokudzingiswa kuratidza zvokwadi yaMwari, kuti asimbise zvakapikirwa madzibaba.

15:9b.ROM.015.009 Vuye, kuti vahedheni vakudze Mwari nokuda kwengoni dzake; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati pavahedheni, Nokukuimbirai zita renyu.

15:10b.ROM.015.010 Vuye zve unoti: Farai imi vahedheni, navanhu vake.

15:11b.ROM.015.011 Vuye zve: Rumbidzai Ishe, imi vahedheni vose; Marudzi ose ngaamukudze.

15:12b.ROM.015.012 Vuye zve, Isaya unoti: Mudzi waJese uchavapo, Naiye unomuka, kuti abate vahedheni; Vahedheni vachamutarira iye;

15:13b.ROM.015.013 Zvino Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pakutenda kwenyu, kuti muve netariro yakawandisa, nesimba roMweya Mutsvene. Vuapostora bwaPauro.

15:14b.ROM.015.014 Zvino, hama dzangu, ini ndimene, ndinoziva kwazvo pamusoro penyu, kuti imi mumene muzere nokunaka, makazadzwa nokuziva kwose, munogona vo kurairana.

15:15b.ROM.015.015 Asi ndinokunyorerai zvimwe ndichinyanya kutsunga, ndichiita sendinokunyevudzai nenyasha dzandakapiwa naMwari,

15:16b.ROM.015.016 kuti ndive muranda waKristu Jesu kuvahedheni, ndichiita basa rovuPirisita paEvhangeri yaMwari, kuti chibayiro chavahedheni chifadze Mwari, chakaitwa chitsvene noMweya Mutsvene.

15:17b.ROM.015.017 Naizvozvo ndingazvirumbidza munaKristu Jesu pazvinhu zvaMwari.

15:18b.ROM.015.018 Nokuti ndingatya kutaura zvimwe zvinhu, asi izvo Kristu zvaakaita neni, kuti vahedheni vateereswe neshoko namabasa,

15:19b.ROM.015.019 nesimba re zviratidzo nezvinoshamisa, nesimba roMweya Mutsvene; nokudaro kubva Jerusarema nenyika yakapoteredza, kusvikira Iriko, ndakaparidza kwazvo Evhangeri yaKristu;

15:20b.ROM.015.020 ndichishingarira chinhu ichi kuti ndiparidze Evhangeri, apo pasina kumborebwa zita raKristu, kuti ndirege kuvaka pamusoro penheyo dzomumwe munhu;

15:21b.ROM.015.021 asi, sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Avo, vasina kuvudzwa zvake; vachavona; Naivo vasina kunzwa vachanzwisisa.

15:22b.ROM.015.022 Naizvozvo ndakadziviswa vo kazhinji kuvuya kwamuri;

15:23b.ROM.015.023 zvino zvandisina pokubata panyika idzi, vuye zvaava makore mazhinji ndichida zvikuru kuvuya kwamuri,

15:24b.ROM.015.024 kana ndichienda Spania, ndichavuya kwamuri; (nokuti ndinotarira kukuvonai parwendo rwangu, ndiperekedzwe nemi ikoko, kana ndamboguta zvishoma nemi.)

15:25b.ROM.015.025 Asi zvino ndomboenda Jerusarema kundoshumira vatsvene.

15:26b.ROM.015.026 Nokuti veMakedhonia naveAkaya vakati zvakanaka kuti vagovane navarombo pavatsvene vari paJerusarema.

15:27b.ROM.015.027 Nokuti vakatiira zvakanaka; vanengava navo. Nokuti kana vahedheni vakaitwa vagovani navo pazvinhu zvoMweya, vanengava vo rokuvashumira pa zvinhu zvenyama.

15:28b.ROM.015.028 Naizvozvo kana ndapedza chinhu ichi, ndikavavigira chibereko ichi, ndichaenda Spania nokwenyu.

15:29b.ROM.015.029 Ndinoziva kuti kana ndichivuya kwenyu, ndichavuya nokuropafadza kwakazara kweEvhangeri yaKristu.

15:30b.ROM.015.030 Zvino ndinokumbira zvikuru, hama dzangu, naShe wedu, Jesu Kristu, vuye norudo rwoMweya, kuti murwe pamwe chete neni pakunyengetera kwenyu kunaMwari pamusoro pangu;

15:31b.ROM.015.031 kuti ndisunungurwe kuna vasingatereri muJudhea, vuye kuti kushumira kwangu kunaveJerusarema kufadze vatsvene;

15:32b.ROM.015.032 kuti ndivuye kwamuri nomufaro nokuda kwaMwari, ndiwane zororo pamwe chete nemi.

15:33b.ROM.015.033 Zvino Mwari worugare ngaave nemi mose. Ameni.

16

16:1b.ROM.016.001 Ndinoreverera kwamuri Fibi, hanzvadzi yedu, mushandiri wekereke iri paKenkrea.

16:2b.ROM.016.002 Kuti mumugamuchire munaShe, sezvinofanira vatsvene, nokumubatsira pazvinhu zvose, zvaangashaiwa; nokuti iye amene wakabatsira vazhinji, neni vo ndimene.

16:3b.ROM.016.003 Ndikwazisirei Priska naAkwira, vanobata neni munaKristu Jesu.

16:4b.ROM.016.004 vakaisa mitsipa yavo kurwira vupenyu bwangu, vandisingavongi ini ndoga asi nekereke dzose dzavahedheni.

16:5b.ROM.016.005 Ndikwazisirei vo kereke iri paimba yavo. Ndikwazisirei Epeneto, mudikanwa wangu, ndiye chibereko chokutanga munaKristu paAsia.

16:6b.ROM.016.006 Ndikwazisirei Maria, wakakubatsirai zvikuru.

16:7b.ROM.016.007 Ndikwazisirei Andoroniko naJunia, worudzi rwangu, vakasungwa pamwe chete neni, vakakurumbira pakati pavaapostora, vakanditangira vo kuva munaKristu.

16:8b.ROM.016.008 Ndikwazisirei Ampriato, mudikanwa wangu munaShe.

16:9b.ROM.016.009 Ndikwazisirei Urbano, unobata nesu munaKristu, naStako, mudikanwa wangu.

16:10b.ROM.016.010 Ndikwazisirei Apere, wakatendwa munaKristu. Ndikwazisirei vokwaAristoburo.

16:11b.ROM.016.011 Ndikwazisirei Herodio worudzi rwangu. Ndikwazisirei vo kwaNarkiso, vari munaShe.

16:12b.ROM.016.012 Ndikwazisirei Trifania naTrifosa, vanobata munaShe. Ndikwazisirei Persisi, mudikanwa, wakabata zvikuru munaShe.

16:13b.ROM.016.013 Ndikwazisirei Rufosi, musanangurwa munaShe, namai vake, navangu.

16:14b.ROM.016.014 Ndikwazisirei Asinkrito, naFregoni, naHermesi, naPatrobasi, naHeramasi, nehama dziri kwavari.

16:15b.ROM.016.015 Ndikwazisrei Firorogosi, naJuria, naNerea, nehanzvadzi yake, naOraimpasi, navatsvene vose vari kwavari.

16:16b.ROM.016.016 Kwazisanai nokusveta kutsvene. Kereke dzose dzaKristu ndinokukwazisai.

16:17b.ROM.016.017 Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, kuti mucherekedze avo vanopesanisa, navanogumbusa, vachiita zvinopesana nedzidziso yamakadzidziswa imi; muvanzvenge.

16:18b.ROM.016.018 Nokuti vakadaro havabatiri Ishe wedu Jesu Kristu, asi dumbu ravo; vanonyengera moyo yavasina mano namashoko avo akanaka, nokubata kumeso.

16:19b.ROM.016.019 Nokuti kuterera kwenyu kwakasvika kuvanhu vose. Naizvozvo ndinofara pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera kunezvakanaka, asi vasinenjere kunezvakaipa.

16:20b.ROM.016.020 Zvino Mwari worugare uchakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu. Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi.

16:21b.ROM.016.021 Timotio, unobata neni, unokukwazisai; naRukio, naJasoni, naSosipatrosi, vorudzi rwangu.

16:22b.ROM.016.022 Ini Tertiosi, unonyora mwadhi iyi, ndinokukwazisai munaShe.

16:23b.ROM.016.023 Gaiosi,wakandigamuchira ini nekereke yose, unokukwazisai. Erastosi, muchengeti wemariyeguta, unokukwazisai, naKwaritosi vo, hama.

16:24b.ROM.016.024 Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu, ngadzive nemi mose. Ameni.

16:25b.ROM.016.025 Zvino iye, unogona kukusimbisai, sezvinoreva Evhangeri yangu, nokuparidzwa kwaJesu Kristu, nokuzarurwa kwezvakavanzika, zvisina kurebwa nguva dzisingaperi.

16:26b.ROM.016.026 asi zvino zvinoratidzwa nokuziviswa kumarudzi ose, naMagwaro avaporofita, sezvakarairwa naMwari usingaperi, kuti vaterere nokutenda.;

16:27b.ROM.016.027 iye Mwari wakachenjera oga, ngaave nokubwinya naJesu Kristu nokusingaperi. Ameni.


Holder of rights
Multilingual Bible Corpus

Citation Suggestion for this Object
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Romans (Shona). Romans (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5DB-3