Acts (Shona)
1
1:1b.ACT.001.001 Teofiro, ndakanyora rugwaro rwokutanga rwezvose zvakatanga kuitwa nokudzidziswa naJesu,
1:2b.ACT.001.002 kusvikira zuva raakakwidzwa, amboraira noMweya Mutsvene vaapostora vaakanga asanangura;
1:3b.ACT.001.003 vaakazviratidzavo kwavari nezviratidzo zvizhinji, zvisingagoni kurambwa ari mupenyu, shure kwokutambudzika kwake, achivonekwa navo mazuva anamakumi mana, achitaura zvinhu zvovushe bwaMwari;
1:4b.ACT.001.004 akavaraira, avungana navo, kuti varege kubva Jerusarema asi vagarire chipikirwa chaBaba, achiti, chiya chamakanzwa kwandiri;
1:5b.ACT.001.005 nokuti Johane, zvirokwazvo, wakabhabhatidza nemvura; asi imi muchabhabhatidzwa noMweya Mutsvene, mazuva mazhinji asati apera.
1:6b.ACT.001.006 Zvino ivo, vakati vavungana, vakamubvunza, vachiti: Ishe, modzosera vushe kunavaIsraeri nenguva ino here?
1:7b.ACT.001.007 Akati kwavari: Hazvina kufanira kuti muzive nguva kana misi yakatarwa naBaba vamene nesimba ravo.
1:8b.ACT.001.008 Asi muchapiwa simba, kana Mweya Mutsvene avuya pamusoro penyu; ipapo muchava zvapupu zvangu paJerusarema, napaJudhea rose, napaSamaria, nokusvikira kumugumo wenyika.
1:9b.ACT.001.009 Zvino wakati areva izvozvi, akakwidzwa, vachitarira; gore rikamubvisa, vakasazomuvona,
1:10b.ACT.001.010 Zvino vachitarisisa kudenga, iye achikwira, tarira, varume vaviri vamire navo vakafuka nguvo chena;
1:11b.ACT.001.011 ivo vakati: Imi varume veGarirea, makamirireiko makatarira kudenga? Uyu Jesu, wakabva kwamuri, akakwidzwa kudenga, uchavuya saizvozvo, sezvamamuvona achienda kudenga. Vadzidzi vanogarira Mweya.
1:12b.ACT.001.012 Zvino vakadzokera Jerusarema, vachibva pagomo rinonzi reMiorivhi, riri pedo neJerusarema, nhambo yerwendo rwesabata.
1:13b.ACT.001.013 Vakati vapinda, vakakwira muimba yaiva pamusoro, pavakanga vagere, vaiti: Petro, naJohane, naJakobho, naAndrea, naFiripo, naTomasi, naBartoromeo, naMateo, naJakobho, mwanakomana waAerfeo, naSimoni Zeroti, naJudhasi, mwanakomana waJakobho.
1:14b.ACT.001.014 Ava vose vakatsungirira nomoyo mumwe pakunyengetera, nokukumbira vanavakadzi, naMaria, mai vaJesu, navanununa vake. Vanosanangura Matia panzvimbo yaJudhasi.
1:15b.ACT.001.015 Namazuva iwayo Petro wakasimuka pakati pehama, (vanhu vazhinji vaivapo pamwe chete, vanenge zana namakumi maviri), akati:
1:16b.ACT.001.016 Varume, hama, rugwaro rwakafanira kuitika, rwakaprofitwa noMweya Mutsvene nomuromo waDhavhidhi, pamusoro paJudhasi, wakanga ari muperekedzi wavaya vakabata Jesu.
1:17b.ACT.001.017 Nokuti wakanga averengwa pamwe chete nesu, akapiwa mugove wake pabasa iri.
1:18b.ACT.001.018 (Zvino munhu uyu wakatenga munda nomubairo wezvisakarurama, akawira pasi nechiso, akaparuka napakati, vura bwake bwukabuda bwose.
1:19b.ACT.001.019 Zvikanzwika navose vaigara Jerusarema; naizvozvo munda uyu ukatumidzwa Akerdama norurimi rwavo, ndokuti: Munda weropa.)
1:20b.ACT.001.020 Nokuti mubhuku yaMapisarema makanyorwa, zvichinzi: Musha wake ngauitwe dongo, Kurege kuva nomunhu unogaramo; Vuye: Mumwe ngaapinde pavutariri bwake.
1:21b.ACT.001.021 Zvino pakati pavarume vaivungana nesu nguva yose, Ishe Jesu yaakapinda nokubuda nayo pakati pedu,
1:22b.ACT.001.022 kutanga pakubhabhatidza kwaJohane, kusvikira pazuva raakabva kwatiri, achikwidzwa, mumwe wavo unofanira kuva chapupu chokumuka kwake pamwe chete nesu.
1:23b.ACT.001.023 Zvino vakaisapo vaviri, vaiti: Josefa, wainzi Barsaba, wakatumidzwa vo Justo, naMatia.
1:24b.ACT.001.024 Vakanyengetera, vachiti: Imi Ishe, munoziva moyo yavanhu vose, ratidzai kuti wamakasanangura kunaivava vaviri ndoupi;
1:25b.ACT.001.025 kuti apiwe nzvimbo pabasa iri novuapostora ubwu, bwaakarashikirwa nabwo iye Judhasi, kuti iye aende kunzvimbo yake.
1:26b.ACT.001.026 Zvino vakavakandira mijenya ukabata Matia; iye akaverengwa pamwe chete navaapostora vanegumi nomumwe.
2
2:1b.ACT.002.001 Zvino zuva rePentekosta rakati rasvika, vakanga vakavungana vose nomoyo mumwe panzvimbo imwe.
2:2b.ACT.002.002 Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga, kukazadza imba yose mavakanga vagere.
2:3b.ACT.002.003 Vakavona vo ndimi dzichiparadzana, dzinenge dzomoto; ndokumhara pamusoro womumwe nomumwe wavo.
2:4b.ACT.002.004 Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene, vakatanga kutaura nedzimwe ndimi, pavakapiwa napo noMweya kureva.
2:5b.ACT.002.005 Zvino paJerusarema pakanga pagere vaJudha, varume vakarurama, vaibva kumarudzi ose pasi pedenga.
2:6b.ACT.002.006 Zvino kutinhira uku kwakati kwanzvika, vanhu vazhinji vakavungana, vakakanganiswa, nokuti mumwe nomumwe wakavanzwa, vachitaura norurimi rwake.
2:7b.ACT.002.007 Vakakatyamara vose, vakataura mumwe kunomumwe, vachiti: Tarirai, ava vose vanotaura havazi vaGarirea here?
2:8b.ACT.002.008 Zvino tinogovanzwa seiko mumwe nomumwe norurimi rwedu, rwatakaberekwa narwo?
2:9b.ACT.002.009 VaPartia, navaMedia, neJudhea, neKapadokia, naPonto, neAsia,
2:10b.ACT.002.010 neFrigia, nePamfiria, neIjipiti, namativi enyika dzeRibia, dziri pedo neKurine, navaeni vabva Roma, navaJudha, navaproseraite,
2:11b.ACT.002.011 navaKrete, navaArAbhiya, tinovanzwa vachitaura nendimi dzedu mabasa anoshamisa aMwari.
2:12b.ACT.002.012 Vakakatyamara vose, vakakanganiswa, ndokutaurirana, vachiti: Izvi zvinoti kudiniko?
2:13b.ACT.002.013 Asi vamwe vakaseka, vachiti: Vaguta waini itsva. Kuparidza kwaPetro.
2:14b.ACT.002.014 Zvino Petro amire navanegumi nomumwe, akadanidzira, akaparidza kwavari, achiti: Varume veJudhea, nemi mose mugere Jerusarema, chinhu ichi ngachizikanwe nemi, muterere mashoko angu,
2:15b.ACT.002.015 nokuti ava havana kubatwa sezvamunofunga imi, zvaichiri nguva yechitanhatu yezuva,
2:16b.ACT.002.016 asi ichi ndicho chakarebwa nomuporofita Joeri, achiti:
2:17b.ACT.002.017 Mwari unoti: Namazuva okupedzisira, Ndichadurura zvoMweya wangu pamusoro penyama yose; Vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita; Majaya enyu achavona zviratidzo, Navatana venyu vacharota hope.
2:18b.ACT.002.018 Napamusoro pavaranda vangu napamusoro pavashandiri vangu, Ndichadurura zvomweya wangu namazuva iwayo; vachaporofita.
2:19b.ACT.002.019 Ndichaita zvinoshamisa kudenga kumusoro, Nezviratidzo panyika pasi; Ropa, nomoto, nemhute yovutsi.
2:20b.ACT.002.020 Zuva richashandurwa rima, Nomwedzi uchashandurwa ropa. Zuva guru raShe rinobwinya risati rasvika.
2:21b.ACT.002.021 Zvino kuchaitika kuti aninani unodana zita raShe uchaponeswa.
2:22b.ACT.002.022 Varume vaIsraeri, donzwai mashoko awa: Jesu weNazareta, murume wakaratidzwa naMwari kwamuri namabasa esimba, nezvishamiso, nezviratidzo zvakaitwa naMwari pakati penyu naye, sezvamunoziva imi mumene;
2:23b.ACT.002.023 iye, wakaiswa kwamuri nomutemo nokuziva zviri mberi kwaMwari, imi makamutora namavoko akaipa mukamurovera pamuchinjikwa mukamuvuraya;
2:24b.ACT.002.024 iye wakamutswa naMwari, amusunungura pakurwadziwa kworufu; nokuti zvakanga zvisingabviri kuti abatwe narwo.
2:25b.ACT.002.025 Nokuti Dhavhidhi wakataura pamusoro pake, achiti: Ndakavona Ishe pamberi pangu misi yose. Nokuti uri kurudyi rwangu, kuti ndirege kuzununguswa.
2:26b.ACT.002.026 Naizvozvo moyo wangu wakafara, norurimi rwangu rwakafarisisa; Vuye zve, nenyama yangu ichazorora netariro.
2:27b.ACT.002.027 Nokuti hamungasiyi mweya wangu muHadhesi; Hamungatenderi Mutsvene wenyu kuti avone kuvora.
2:28b.ACT.002.028 Makandizivisa nzira dzovupenyu; Muchandizadza nomufaro ndichivona chiso chenyu.
2:29b.ACT.002.029 Varume, hama, ndingakuvudzai pachena zvateteguru Dhavhidhi, kuti vakafa, vakavigwa, bwiro bwavo bwuri pakati pedu kusvikira nhasi.
2:30b.ACT.002.030 Zvino zvaakanga ari muporofita, achiziva vo kuti Mwari wakamupikira nemhiko kuti uchagadza pachigaro chake chovushe mumwe wezvibereko zvechivuno chake munyama uchasimudza Kristu kuti agare pachigaro chake chovushe.
2:31b.ACT.002.031 zvaaivona zviri mberi, wakareva pamusoro pokumuka kwaKristu, kuti haana kusiyiwa paHadhesi, nenyama yake haina kuvona kuvora.
2:32b.ACT.002.032 Uyu Jesu wakamutswa naMwari, isu tiri zvapupu zvake tose.
2:33b.ACT.002.033 Zvino wakati asimudzirwa kurudyi rwaMwari, apiwa naBaba chipikirwa choMweya Mutsvene, akadurura izvi zvamunovona nezvamunonzwa ikozvino.
2:34b.ACT.002.034 Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi unoti amene: Ishe wakati kunaShe wangu; Gara kurudyi rwangu,
2:35b.ACT.002.035 Kusvikira ndichiita vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.
2:36b.ACT.002.036 Zvino imba yose yavaIsraeri ngaizive kwazvo, kuti uyu Jesu wamakarovera pamuchinjikwa, Mwari wakamuita Ishe naKristu.
2:37b.ACT.002.037 Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakabayiwa pamoyo, vakati kunaPetro nokunavamwe vaapostora: Varume, hama, tichaiteiko?
2:38b.ACT.002.038 Petro akati kwavari: Tendevukai, mumwe nomumwe wenyu abhabhatidzwe nezita raJesu, kuti mukanganwirwe zvivi, mupiwe chipiwa choMweya Mutsvene.
2:39b.ACT.002.039 Nokuti chipikirwa ndechenyu, navana venyu, navose vari kure, vanozodanwa naShe, Mwari wedu.
2:40b.ACT.002.040 Akapupura kwazvo namamwe mashoko mazhinji, akavaraira, achiti: Muzviponese parudzi urwu rwakakombama.
2:41b.ACT.002.041 Zvino avo vakagamuchira nomufaro shoko rake, vakabhabhatidzwa; nezuva iro vanhu vanenge zvuru zvitatu vakawedzera.
2:42b.ACT.002.042 Vakatsungirira pakudzidzisa kwavaapostora, napakuyanana kwavo, napakumedura chingwa, napaminyengetero.
2:43b.ACT.002.043 Vanhu vose vakabatwa nokutya; zvinoshamisa zvizhinji nezviratidzo zvakaitwa navaaapostora.
2:44b.ACT.002.044 Navaitenda vose vaiva pamwe chete, vakati zvinhu zvose ndezvavose;
2:45b.ACT.002.045 vakatengesa fuma yavo nenhumbi, vakagovana navose, mumwe nomumwe paakashaiwa napo.
2:46b.ACT.002.046 Zuva rimwe nerimwe vakanga vachitsungirira mutembere nomoyo mumwe, vachimedura chingwa mudzimba dzavo, vachidya zvokudya zvavo nomufaro nomoyo wakanaka,
2:47b.ACT.002.047 vachirumbidza Mwari, vachidikanwa navanhu vose. Ishe akawedzera kukereke zuva rimwe nerimwe avo vaifanira kuponeswa.
3
3:1b.ACT.003.001 Zvino Petro naJohane vakakwira kutembere nenguva yokunyengetera yakanga iri nguva yepfumbamwe.
3:2b.ACT.003.002 Zvino mumwe murume, waikamhina kubva padumbu ramai vake, wakanga achitakurwa; vaimuisa zuva rimwe nerimwe pamukova wetembere, wainzi Wakanaka, kuti akumbire zvipo kunavaipinda mutembere.
3:3b.ACT.003.003 Iye wakati achivona Petro naJohane voda kupinda mutembere, akakumbira kuti apiwe chipo.
3:4b.ACT.003.004 Zvino Petro akamutarisisa, naJohane vo, akati: Titarire.
3:5b.ACT.003.005 Akavatarira, achiti ndichapiwa chinhu navo.
3:6b.ACT.003.006 Asi Petro akati: Sirivheri nendarama handina; asi chandinacho ndinokupa: Nezita raJesu weNazareta, simuka ufambe.
3:7b.ACT.003.007 Akamubata ruvoko rworudyi, akamusimudza; pakarepo tsoka dzake nezviziso zvetsoka dzake zvakasimba.
3:8b.ACT.003.008 Akavhazuka, akamira, ndokufamba; ndokupinda navo mutembere, akafamba achipembera, achirumbidza Mwari.
3:9b.ACT.003.009 Vanhu vose vakamuvona achifamba, achirumbidza Mwari.
3:10b.ACT.003.010 Vakamuziva, kuti ndiye waigarira zvipo pamukova Wakanaka wetembere; vakakatyamara zvikuru nokushamiswa nezvaakaitirwa. Kuparidza kwaPetro.
3:11b.ACT.003.011 Zvino murume waikamhina, wakanga aporeswa achakabatira pana Petro naJohane, vanhu vose vakamhanyira kwavari pabiravira, rainzi raSoromoni, vakashamiswa kwazvo.
3:12b.ACT.003.012 Zvino Petro wakati achivona izvozvo, akapindura vanhu, akati: Varume vaIsraeri, mashamiswa neiko pamusoro poyuyu? Munotitarisisa neiko, setinenge tamufambisa nesimba redu kana nokunamata kwedu Mwari?
3:13b.ACT.003.013 Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho, Mwari wamadzibaba edu, ndiye wakakudza Muranda wake Jesu, wamakaisa kuvatongi mukamuramba pamberi paPirato, iye atonga kuti asunungurwe.
3:14b.ACT.003.014 Asi imi makaramba uyo Mutsvene, wakarurama, mukakumbira kuti mupiwe muvurayi:
3:15b.ACT.003.015 mukavuraya Muvambi wovupenyu; iye, wakamutswa naMwari kuvakafa; iye, watiri zvapupu zvake isu.
3:16b.ACT.003.016 Nokutenda kuzita rake, zita rake rakasimbisa munhu uyu wamunovona, nowamunoziva; vuye, kutenda kunobva kwaari, ndiko kwakamuporesa zvakanaka kudai pamberi penyu mose.
3:17b.ACT.003.017 Asi zvino, hama dzangu ndinoziva kuti makazviita nokusaziva, savabati venyu vo;
3:18b.ACT.003.018 asi saizvozvo Mwari wakazadzisa zvaakamboreva nomuromo wavaporofita vose, kuti Kristu wake uchazotambudzika.
3:19b.ACT.003.019 Naizvozvo tendevukai, mudzoke, kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzokuvandudzwa dzinobva kunaShe, dzisvike;
3:20b.ACT.003.020 Uchatuma Kristu, wakaparidzwa kwamuri kare.
3:21b.ACT.003.021 iye unofanira kugamuchirwa kudenga kusvikira nguva yokugadzirwa kwezvinhu zvose, yakarebwa naMwari nomuromo wavaporofita vake vatsvene kubva pakutanga. Kwenyika.
3:22b.ACT.003.022 Nokuti Mosesi wakati: Ishe, Mwari wenyu, uchamumutsira Muporofita pakati pehama dzenyu, wakafanana neni; muchamuterera pazvose, zvaanotaura kwamuri.
3:23b.ACT.003.023 Zvino mumwe nomumwe kana asingatereri Muporofita uyo, uchaparadzwa kwazvo pakati pavanhu.
3:24b.ACT.003.024 Navaporofita vose kubva kunaSamueri, navakamutevera, naivo vose vakataura vakaporofita zvinhu izvozvi zvose.
3:25b.ACT.003.025 Imi muri vanakomana vavaporofita, navesungano, yakaitwa naMwari namadzibaba enyu, achiti kunaAbhurahamu: Marudzi ose enyika acharopafadzwa muvana vako.
3:26b.ACT.003.026 Mwari wakatanga kukumutsirai imi Mwanakomana wake Jesu, akamutuma kukuropafadzai, achidzora mumwe nomumwe wenyu pazvakaipa zvake.
4
4:1b.ACT.004.001 Vakati vachataura navanhu, vaPirisita nomukuru wetembere navaSajhusi vakavuya kwavari,
4:2b.ACT.004.002 vafa neshungu, nokuti vakanga vachidzidzisa vanhu, vachiparidza kumuka kwavakafa munaJesu.
4:3b.ACT.004.003 Vakavabata, vakavaisa mutorongo kusvikira mangwana; nokuti akanga ava madekwana.
4:4b.ACT.004.004 Asi vazhinji kunavakanzwa shoko vakatenda; varume vanosvika zvuru zvinenge zvishanu pakuverengwa kwavo.
4:5b.ACT.004.005 Zvino fume mangwana vabati vavo, navakuru, navanyori vakavungana paJerusarema;
4:6b.ACT.004.006 naAnasi, muPirisita mukuru, naKayafasi, naJohane, naAreksandro, nehama dzose dzomuPirisita mukuru vakavungana vose paJesursarema.
4:7b.ACT.004.007 vakavaisa pakati pavo, vakavabvunzisisa, vachiti: Makazviita izvozvi nesimba rei, kana nezita ripiko?
4:8b.ACT.004.008 Zvino Petro, azere noMweya Mutsvene, akati kwavari: Imi vabati vavanhu,navakuru vavaIsraeri.
4:9b.ACT.004.009 kana tikabvunzwa nhasi pamusoro pebasa rakanaka, rakaitirwa munhu chirema, napaakaponeswa napo;
4:10b.ACT.004.010 muzive imi mose, navanhu vose vaIsraeri, kuti nezita raJesu Kristu weNazareta, wamakarovera pamuchinjikwa, iye wakamutswa naMwari kuvakafa, nezita iri munhu uyu umire pano pamberi penyu apora.
4:11b.ACT.004.011 Iri ndiro ibwe rakarashwa nemi vavaki, rakazova musoro wekona.
4:12b.ACT.004.012 Nokuti hakuna kuponeswa kunomumwe; nokuti hakunerimwe zita pasi pedenga, rakapiwa pakati pavanhu, ratingaponeswa naro.
4:13b.ACT.004.013 Zvino vakati vachivona kusatya kwaPetro naJohane, vachinzwisisa kuti vaiva vanhu vasina kudzidza, vasingazivi chinhu, vakashamiswa; vakavaziva kuti vaiva naJesu.
4:14b.ACT.004.014 Vakavona vo munhu, wakanga aporeswa, amire navo, vakashaiwa chavangapindura nacho.
4:15b.ACT.004.015 Zvino vakati vavaraira kuti vabude pavungano, vakarangana pakati pavo,
4:16b.ACT.004.016 vachiti: Vanhu ava tichavaita seiko? Nokuti vanhu vose vagere Jerusarema vavona kwazvo kuti chiratidzo chaitwa navo; hatigoni kuramba isu.
4:17b.ACT.004.017 Asi ngativanyevere kuti varege kuzotaura nomunhu upi noupi nezita iri, kuti zvirege kuramba zvichiparadzirwa pakati pavanhu.
4:18b.ACT.004.018 Vakavadana, vakavaraira kuti varege chose kutaura kana kudzidzisa nezita raJesu.
4:19b.ACT.004.019 Asi Petro naJohane vakapindura, vakati kwavari: Tongai henyu imi, kana zvingava zvakarurama pamberi paMwari, kuti titerere imi kupfuvura Mwari.
4:20b.ACT.004.020 Nokuti hatigoni isu kurega kutaura zvatakavona, nezvatakanzwa.
4:21b.ACT.004.021 Zvino vakati vawedzera kuvanyevera, vakavaregedza, vasingawani mhosva yavangavarova nayo nokuda kwavanhu; nokuti vose vairumbidza Mwari pamusoro pezvakaitwa;
4:22b.ACT.004.022 nokuti munhu wakanga aitirwa chiratidzo ichi wakanga anamakore makumi mana anemiravudzo.
4:23b.ACT.004.023 Vakati varegedzwa, vakaenda kunovokwavo, vakandovavudza zvose zvavakanga vavudzwa navaPirisita vakuru navakuru.
4:24b.ACT.004.024 Ivo vakati vazvinzwa, vakadana kunaMwari nomoyo mumwe, vachiti: Tenzi, ndimi Mwari makaita denga napasi, negungwa nezvose zviri mukati mazvo;
4:25b.ACT.004.025 makareva noMweya Mutsvene, nomuromo wababa vedu Dhavhidhi, muranda wenyu, muchiti: Vahedheni vakaitireiko hasha, Navanhu vakafungireiko zvisina maturo?
4:26b.ACT.004.026 Madzimambo enyika akamuka, Navabati vakavungana pamwe chete, Kurwa naShe naKristu wake.
4:27b.ACT.004.027 Nokuti zvirokwazvo Herodhe, naPontio Pirato, navahedheni, navanhu vaIsraeri vakavunganira muguta iri, kuzorwa naJesu Muranda wenyu mutsvene, wamakazodza;
4:28b.ACT.004.028 kuti vaite zvose zvakanga zvatemwa noruvoko rwenyu kuzoporesa; nezviratidzo nezvishamiso zviitwe nezita raJesu, Muranda wenyu mutsvene.
4:29b.ACT.004.029 Zvino, Ishe, tarirai kunyevera kwavo, mubatsire varanda venyu kuti vataure shoko renyu varingatongotyi,
4:30b.ACT.004.030 Mutambanudze ruvoko rwenyu kuzoporesa; neziratidzo nezvishamiso zviitwe nezita raJesu muranda wenyu mutsvene.
4:31b.ACT.004.031 Zvino vakati vanyengetera, nzvimbo yavakanga vakavungana pairi ikazununguswa; vakazadzwa vose noMweya Mutsvene, vakataura shoko raMwari vasingatyi. Kunzwana kwavatendi.
4:32b.ACT.004.032 Zvino vazhinji vose vavaitenda vaiva nomoyo mumwe nomweya mumwe; kwakanga kusinomumwe waiti chimwe chaaiva nacho ndechake, asi zvinhu zvose vakati ndezvavose.
4:33b.ACT.004.033 Vaapostora vaipupurira kumuka kwaJesu nesimba guru; nyasha huru ikavapo pamusoro pavo vose.
4:34b.ACT.004.034 Nokuti pakanga pasina waishaiwa pakati pavo, nokuti vose vaiva neminda kana dzimba, vakazvitengesa, vakavuya nomutengo wezvakate ngeswa.
4:35b.ACT.004.035 vakazviisa pamberi pavaapostora; mumwe nomumwe akagoverwa paakashaiwa napo.
4:36b.ACT.004.036 NaJosefa, wakatumidzwa navaapostora achinzi Bharnabhasi, (ndokuti Mwanakomana wokunyaradza, kana zvichishandurwa), muRevhi, munhu weKupro parudzi rwake,
4:37b.ACT.004.037 waiva nomunda; akautengesa, akavuya nemari akaiisa pamberi pavaapostora.
5
5:1b.ACT.005.001 Zvino mumwe murume, wainzi Ananiasi, wakatengesa fuma yake anaSafira mukadzi wake,
5:2b.ACT.005.002 akazvikamurira zvimwe pamutengo, mukadzi wake achizviziva vo, akavuya nomumwe mugove, ndokuuisa pamberi pavaapostora.
5:3b.ACT.005.003 Asi Petro akati: Ananiasi, Satani wazadzireiko moyo wako, kuti ureve nhema kuMweya Mutsvene, nokuzvikamurira zvimwe pamutengo womunda?
5:4b.ACT.005.004 Iwo uchiripo, wakanga usi wako here? Watengeswa, wakanga usinesimba nazvo here? Waita seiko, zvawafunga chinhu ichi mumoyo mako? Hauna kureva nhema kuvanhu, asi kunaMwari.
5:5b.ACT.005.005 Ananiasi, wakati achinzwa mashoko iwayo, akawira pasi, akabudisa mweya wake; kutya kukuru kukawira vose vakazvinzwa.
5:6b.ACT.005.006 Majaya akasimuka, akamuputira, ndokumutakurira kunze, ndokumuviga.
5:7b.ACT.005.007 Nguva dzinege senhatu dzakati dzapfuvura, mukadzi wake akapinda, asingazivi zvaitwa.
5:8b.ACT.005.008 Petro akapindura kwaari, akati: Ndivudze kana maka tengesa munda nemari yakadai? Iye akati: Hongu, neyakadai.
5:9b.ACT.005.009 Petro akati kwaari: Maita seiko zvamarangana kuidza Mweya waShe? Tarira, tsoka dzavakaviga murume wako, dzichiri pamukova, vachakutakurira vo kunze.
5:10b.ACT.005.010 Ipapo akawira pasi pakarepo patsoka dzake, akabudisa mweya wake; majaya akapinda, akamuwana afa, ndokumutakurira kunze, ndokumuviga kumurume wake.
5:11b.ACT.005.011 Kutya kukuru kukawira kereke yose navose vakazvinzwa.
5:12b.ACT.005.012 Zviratidzo nezvinoshamisa zvizhinji zvakaitwa pakati pavanhu namavoko avaapostora; vose vaiva nomoyo mumwe pabiravira raSoromoni.
5:13b.ACT.005.013 Asi pakati pavamwe kwakanga kusinomunhu wakatsunga kuzviisa kwavari; asi vanhu vaivakudza
5:14b.ACT.005.014 Vatendi vazhinji kwazvo, varume navakadzi, vairamba vachiwedzerwa kunaShe.
5:15b.ACT.005.015 Nokudaro vakatakurira varwere munzira dzomumusha, vakavaradzika pamibhedha napanhovo, kuti kana Petro achiswederapo, kunyange nomumvuri wake bedzi udzikatire mumwe wavo.
5:16b.ACT.005.016 Navazhinji vamaguta akapoteredza Jerusarema vakavungana, vachivuya navarwere, navaitambudzika nemweya yetsvina, vakaporeswa. Vaapostora vanobudiswa mutorongo.
5:17b.ACT.005.017 Zvino muPirisita mukuru akasimuka, navose vaiva naye (vaiva vedzidziso yavaSadhuse), vanegodo kwazvo;
5:18b.ACT.005.018 vakabata vaapostora vakavaisa mutorongo maipinzwa vanhu vose.
5:19b.ACT.005.019 Asi mutumwa waShe wakazarura mikova yetorongo vusiku, akavabudisa, akati:
5:20b.ACT.005.020 Endai, mumire mutembere muchitaura kuvanhu mashoko ose ovupenyu ubwu.
5:21b.ACT.005.021 Vakati vachizvinzwa, vakapinda mutembere mangwanani, vakadzidzisa. Zvino muPirisita mukuru navaiva naye, vakasvika, vakakokera makurukota nevungano yose yavakuru vavana vaIsraeri; vakatumira vanhu kutorongo kuzovuya navo.
5:22b.ACT.005.022 Asi varanda vakati vachisvikapo, vakawana vasimo mutorongo; vakadzoka, vakavavudza izvozvo, vachiti:
5:23b.ACT.005.023 Torongo takaiwana yakazarirwa zvakasimba kwazvo, navarindi vamire panze; asi takati tichizarura, tikasawana munhu mukati.
5:24b.ACT.005.024 Zvino MuPirisita nomukuru wetembere, navaPirisita vakuru vakati vachinzwa mashoko iwayo, vakakanganiswa pamusoro pazvo, vasingazivi kuti zvinozodini.
5:25b.ACT.005.025 ipapo mumwe munhu akasvika, akavavudza, achiti: Tarirai, varume vamakaisa mutorongo, vava mutembere, vamire vachidzidzisa vanhu.
5:26b.ACT.005.026 Zvino mutungamiriri wavarwi, navatariri, vakaenda, vakavuya navo, vasingaiti nesimba, nokuti vakanga vachitya vanhu kuti vangatakwa namabwe.
5:27b.ACT.005.027 Vakati vasvika navo, vakavaisa kumakurukota. MuPirisita mukuru akavabvunza
5:28b.ACT.005.028 achiti: Ko hatina kukurairai zvikuru kuti murege kudzidzisa nezita iri here?, zvino tarirai, mazadza Jerusarema nokudzidzisa kwenyu; muchida kuti ropa romunhu uyu rivuye pamsoro pedu.
5:29b.ACT.005.029 Zvino Petro navaapostora vakapindura vakati: Tinofanira kuterera Mwari kupfuvura vanhu.
5:30b.ACT.005.030 Mwari wamadzibaba edu wakamutsa Jesu iye wamakavuraya muchimuturika pamuti,
5:31b.ACT.005.031 Mwari wakamusimudza iye noruvoko rwake rworudyi, ave Mutungamiriri noMusununguri, kuti ape vaIsraeri kutendevuka nekanganwiro yezvivi.
5:32b.ACT.005.032 Isu tiri zvapupu zvamashoko iwayo; noMweya Mutsvene vo, wavakapiwa naMwari ivo vanomuterera.
5:33b.ACT.005.033 Zvino ivo vakati vachizvinzwa, vakafa neshungu, vakada kuvavuraya.
5:34b.ACT.005.034 Ipapo mumwe muFarise, wainzi Gamarieri, mudzidzisi womurairo, waikudzwa navanhu vose, akasimuka pamakurukota, akaraira kuti vaapostora vabudiswe chinguva chiduku;
5:35b.ACT.005.035 akati kwavari: Varume vaIsraeri, chenjerai zvamunoda kuitira vanhu ava.
5:36b.ACT.005.036 Nokuti kare kwakambomuka Tudasi, achiti, ndiri munhu mukuru, vanhu vanenge mazana mana vakamutevera; iye akavurawa, navose vaimuterera vakaparadzirwa, nokuparadzwa.
5:37b.ACT.005.037 Shure kwomunhu uyu Judhasi weGarirea akamuka, pamazuva okuverengwa, akatsausa vanhu kuti vamutevere; iye akaparara, navose vakamuterera, vakaparadzirwa.
5:38b.ACT.005.038 Zvino ndinoti kwamuri: Musabata vanhu ava, muvarege, nokuti kana kufunga uku nebasa iri zviri zvavanhu, zvichaparadzwa.
5:39b.ACT.005.039 Asi kana zviri zvaMwari, hamungagoni kuzviparadza; kuti zvimwe mungadai muchirwa naMwari vo.
5:40b.ACT.005.040 Vakamunzwa; ipapo vakati vadana vaapostora, vakavarova, vakavaraira kuti varege kutaura nezita raJesu; vakavaregedza.
5:41b.ACT.005.041 Ipapo vakabuda pamakurukota, vachifara, zvavakanzi vakafanirwa kunyadziswa nokuda kwezita rake.
5:42b.ACT.005.042 Havana kurega kudzidzisa, nokuparidza mazuva ose zvaKristu Jesu, mutembere kana kudzimba dzavo.
6
6:1b.ACT.006.001 Zvino namazuva iwayo, vadzidzi vachiwanda, vaJudha, vaitaura chiGiriki, vakanyunyutira vaHebheru, nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikwa pakugoverwa kwomusi mumwe nomumwe.
6:2b.ACT.006.002 Zvino vanegumi navaviri vakadana vadzidzi vazhinji, vakati: Hakuzakafanira kuti isu tirege shoko raMwari, tishumire pamatafura.
6:3b.ACT.006.003 Zvino hama dzangu, sanangurai pakati penyu varume vanomwe, vanopupurirwa zvakanaka, vazere noMweya Mutsvene novuchenjeri, vatingaisa pabasa iri.
6:4b.ACT.006.004 Asi isu tichatsungirira pakunyengetera napabasa reshoko.
6:5b.ACT.006.005 Shoko iri rikafadza vazhinji vose, vakasanangura Stefano, murume wakanga azere nokutenda noMweya Mutsvene, naFiripo, naProkoro, Nikanori, naTimoni, naPamenasi, naNikorasi, muproserite weAntiokia.
6:6b.ACT.006.006 Vakavaisa pamberi pavaapostora; vakanyengetera, vakaisa mavoko pamusoro pavo.
6:7b.ACT.006.007 Shoko raMwari rikakura, vadzidzi vakawanda zvikuru paJerusarema; navaPirisita vazhinji vakagamuchira kutenda. Stefano unovurawa
6:8b.ACT.006.008 Zvino Stefano, azere nenyasha nesimba, akaita zvinoshamisa nezviratidzo zvikuru pakati pavanhu.
6:9b.ACT.006.009 Ipapo vamwe vavo, vaiva vesinagoge rainzi ravasununguki, navaKureni, navaAreksandira, naveKirikia, neveAsia, vakasimuka vakaita nharo naStefano.
6:10b.ACT.006.010 Asi vakanga vasingagoni kukunda kuchenjera kwake, noMweya waitaura naye.
6:11b.ACT.006.011 Ipapo vakamutsa varume, vaiti: Takamunzwa achitaura mashoko anomhura Mosesi naMwari.
6:12b.ACT.006.012 Vakakurudzira vanhu, navakuru, vakamuisa kumakurukota.
6:13b.ACT.006.013 vakaisapo zvapupu zvenhema, zvaiti: Munhu uyu haaregi kutaura mashoko anomhura imba iyi tsvene nomurairo.
6:14b.ACT.006.014 Nokuti takamunzwa achiti: Uyu Jesu weNazareta uchaparadza nzvimbo iyi nokushandura tsika dzatakapiwa naMosesi.
6:15b.ACT.006.015 Zvino vose vakanga vagere pamakurukota, vakamutarisisa, vakavona chiso chake chakaita sechiso chomutumwa.
7
7:1b.ACT.007.001 MuPirisita mukuru akati: Zvinhu izvi ndizvo nhai?
7:2b.ACT.007.002 Iye akati: Varume, hama, namadzibaba, inzwai: Mwari wokubwinya wakazviratidza kunababa vedu Abhurahamu, vachiri Mesopotamia, vasati vagara Harani,
7:3b.ACT.007.003 akati kwavari: Ibva munyika yako, nokuhama dzako, uende kunyika yandinozokuratidza.
7:4b.ACT.007.004 Ipapo akabuda munyika yavaKadhia, akagara Harani. Zvino baba vake vakati vafa, Mwari akamutamisira ipapo kunyika ino yamugere zvino.
7:5b.ACT.007.005 Asi haana kumupa nhaka imomo, kunyange paangatsika norutsoka rwake, asi wakamupikira kuti uchamupa iyo, ive yake neyavana vake vaizomutevera, asati atongova nomwana.
7:6b.ACT.007.006 Mwari akataura, achiti, vana vake vachava vatorwa kunyika yavamwe; vachavaita varanda, nokuvavonesa nhamo makore anamazana mana.
7:7b.ACT.007.007 Rudzi rwavachava varanda varwo, ndicharutongesa, ndizvo zvinoreva Mwari; shure kwaizvozvo vachabuda, vachandishumira panzvimbo iyi.
7:8b.ACT.007.008 Akamupa sungano yedzingiso, Zvino Abhurahamu akabereka Isaka, akamudzingisa nezuva rorusere, Isaka akabereka Jakobho; naJakobho akabereka mateteguru anegumi namaviri.
7:9b.ACT.007.009 Mateteguru zvaakanga achigodora Josefa, vakamutengesa, akaiswa Ijipiti; Mwari akava naye.
7:10b.ACT.007.010 Akamurwira panhamo dzake dzose, akamubatsira kuti adikanwe naFarao, mambo weIjipiti, ave nokuchenjera pamberi pake; iye akamuita mutariri weIjipiti noweimba yake yose.
7:11b.ACT.007.011 Zvino nzara ikasvika paIjipiti yose neKanani, nenhamo huru; madzibaba edu akashaiwa zvokudya.
7:12b.ACT.007.012 Zvino Jakobho, wakati anzwa kuti Ijipiti kunezviyo, pakutanga akatuma madzibaba edu.
7:13b.ACT.007.013 Parwendo rwechipiri Josefa akazikanwa navakuru vake; rudzi rwaJosefa rukavonekwa naFarao.
7:14b.ACT.007.014 Zvino Josefa akavatuma kundodana Jakobho, baba vake, nehama dzake dzose, vanhu vaiva namakumi manomwe navashanu.
7:15b.ACT.007.015 Jakobho akaburukira Ijipiti; akazofa, iye namadzibaba edu;
7:16b.ACT.007.016 vakaiswa Shekemi, vakavigwa pabwiro bwakanga bwatengwa naAbhurahamu nomutengo wesirvheri kuvanakomana vaEmori paShekemi.
7:17b.ACT.007.017 Zvino nguva yechipikirwa chakanga chapikirwa Abhurahamu naMwari, yakati ichiswedera, vanhu vakawanda, vakaita vazhinji muIjipiti;
7:18b.ACT.007.018 kusvikira mumwe mambo akamuka muIjipiti, wakanga asina kuziva Josefa.
7:19b.ACT.007.019 Iye akabata rudzi rwedu namano, akatambudza madzibaba edu, akavaraira kuti varashe vacheche vavo, kuti varege kuraramiswa.
7:20b.ACT.007.020 Nenguva iyo Mosesi akaberekwa, wakanga akaisvonaka kwazvo; akarerwa mwedzi mitatu mumba mababa vake;
7:21b.ACT.007.021 zvino wakati arashwa, mukunda waFarao akamunonga, akamurera kuti ave mwanakomana wake.
7:22b.ACT.007.022 Mosesi akadzidziswa vuchenjeri bwose bwavaIjipiti; akava nesimba pamashoko napamabasa ake.
7:23b.ACT.007.023 Zvino wakati asvika makore anamakumi mana, moyo wake ukada kushanyira hama dzake, vana vaIsraeri.
7:24b.ACT.007.024 Akavona mumwe achiitirwa zvisakarurama, ndokumurwira, akavuraya muIjipiti, achitsiva wakanga achitambudzwa.
7:25b.ACT.007.025 Akati, zvimwe hama dzake dzichanzwisisa kuti Mwari wakanga achida kuvaponesa noruvoko rwake; asi havana kunzwisisa.
7:26b.ACT.007.026 Fume mangwana akavashanyira akavawana vachikakavadzana, akaidza kuvayananisa, achiti: Varume, muri hama, munoitirana zvisakarurama neiko?
7:27b.ACT.007.027 Zvino iye wakanga achiitira wokwake zvisakarurama akamusundira kure, achiti: Ndianiko wakakuita mubati nomutongi wedu?
7:28b.ACT.007.028 Unoda kundivuraya, sezvawakavuraya muIjipiti zuro kanhi?
7:29b.ACT.007.029 Mosesi akatiza achinzwa shoko iri, akandova mutorwa kunyika yeMidiani, kwaakandobereka vanakomana vaviri.
7:30b.ACT.007.030 Zvino makore makumi mana akati apera, mutumwa waShe akavonekwa naye murenje regomo reSinai, mumurazvo womoto mugwenzi.
7:31b.ACT.007.031 Mosesi akati achizvivona, akashamiswa nezvaakavona; zvino akati achiswedera kuzocherekedza, inzwi raShe rikanzwika, richiti:
7:32b.ACT.007.032 Ndini Mwari wamadzibaba ako, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho, ipapo Mosesi akadedera akatya kucherekedza.
7:33b.ACT.007.033 Zvino Ishe akati kwaari: Bvisa shangu patsoka dzako, nokuti nzvimbo yaumire pairi itsvene.
7:34b.ACT.007.034 Ndakavona hangu kwazvo kutambudzika kwavanhu vangu vari muIjipiti, ndakanzwa kugomera kwavo, ndaburuka kuzovarwira; zvino vuya ndikutume Ijipiti.
7:35b.ACT.007.035 Uyu Mosesi wavakaramba,vachiti: Ndiani wakakuita mubati nomutongi? Ndiye wakatumwa naMwari, nomutumwa wakavonekwa naye mugwenzi, kuti ave mubati nomudzikinuri.
7:36b.ACT.007.036 Iye akavabudisa, akaita zvinoshamisa nezviratidzo munyika yeIjipiti, nepaGungwa Dzvuku, nomurenje, makore anamakumi mana.
7:37b.ACT.007.037 Ndiyeye Mosesi wakati kuvana vaIsraeri: Ishe Mwari wenyu uchakumutsirai Muporofita pakati pehama dzenyu, wakafanana neni uyu ndiye wamuchanzwa.
7:38b.ACT.007.038 Ndiyeye wakanga ari kuvungano murenje, anomutumwa wakataura naye mugomo reSinai, anamadzibaba edu vo, wakagamuchira mashoko mapenyu kuzotipa.
7:39b.ACT.007.039 Ndiye, wavakanga vasingadi kumutevera ivo madzibaba edu; vakamuramba, vakadzokera Ijipiti nemoyo yavo.
7:40b.ACT.007.040 Vakati kunaAroni: Tiitire vamwari, vangatitungamirira; nokuti kana ari Mosesi uyu, wakatibudisa munyika yeIjipiti, hatizivi zvakaitika kwaari.
7:41b.ACT.007.041 Zvino vakaita mhuru namazuva iwayo, vakavuya nechibayiro kuchifananidzo chavo, vakafarira mabasa amavoko avo.
7:42b.ACT.007.042 Zvino Mwari akavafuratira, akavarega kuti vashumire hondo yokudenga, sezvakanyorwa mubhuku ravaporofita, zvichinzi: Ko makandivigira zvipfuwo zvakabayiwa nezvibayiro Makore makumi mana murenje, imi, imba yavaIsraeri here?
7:43b.ACT.007.043 Makatakura tabernakeri yaMoroki, Nenyeredzi yamwari wenyu Remfani, Zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate; Ndichakutamisai mberi kweBhabhironi.
7:44b.ACT.007.044 Madzibaba edu aiva netabernakeri yovuchapupu murenje, yakanga yakavakwa sezvaakaraira iye, wakataura naMosesi achiti aite nomufananidzo waakavona.
7:45b.ACT.007.045 Yakati yagamuchirwa namadzibaba edu, vakapinda nayo naJoshua munyika yavahedheni,vakadzingwa naMwari pamberi pamadzibaba edu, kusvikira pamazuva aDhavhidhi.
7:46b.ACT.007.046 iye akanzwirwa nyasha pamberi paMwari, akakumbira kuvakira Mwari waJakobho pokugara.
7:47b.ACT.007.047 Soromoni akamuvakira imba.
7:48b.ACT.007.048 Asi Wokumusoro haagari mudzimba dzakavakwa namavoko, sezvakarebwa nomuporofita, achiti:
7:49b.ACT.007.049 Denga ndicho chigaro changu chovushe. Nenyika chitsiko chetsoka dzangu; Muchandivakira imba yakadiniko? Ndizvo zvinoreva Ishe; Kana nzvimbo yandingazorora pairi ndeipi?
7:50b.ACT.007.050 Ko ruvoko rwangu haruna kuita izvozvi zvose here?
7:51b.ACT.007.051 Imi vemitsipa mikukutu, musinakudzingiswa pamoyo nenzeve, munogara muchidzivisa Mweya Mutsvene; samadzibaba enyu, nemi vo.
7:52b.ACT.007.052 Ndoupiko pakati pavaporofita, usinakutambudzwa namadzibaba enyu? Vakavuraya avo vaiparidza kuvuya kwoWakarurama, iye wamakapandukira nokumuvuraya zvino.
7:53b.ACT.007.053 Iyemi, makapiwa murairo sezvawakarairwa navatumwa, mukasauchengeta.
7:54b.ACT.007.054 Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakafa neshungu kwazvo, vakamugeda-gedera meno.
7:55b.ACT.007.055 Asi iye azere noMweya Mutsvene, akatarisisa kudenga, akavona kubwinya kwaMwari, naJesu amire kuruvoko rwurudyi rwaMwari,
7:56b.ACT.007.056 akati: Tarirai, ndinovona denga rakazarurwa, noMwanakomana womunhu amire kuruvoko rworudyi rwaMwari.
7:57b.ACT.007.057 Zvino vakadanidzira nenzwi guru, vakadzivira nzeve dzavo, vakamhanyira kwaari vose pamwe chete;
7:58b.ACT.007.058 vakamubudisira kunze kweguta, ndokumutaka namabwe; zvapupu zvikaisa nguvo dzazvo patsoka dzejaya, rainzi Sauro.
7:59b.ACT.007.059 Vakataka Stefano, achidana achiti: Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu.
7:60b.ACT.007.060 Akafugama, akadanidzira nenzwi guru, achiti: Ishe, musavapa mhosva yechivi ichi, Akati areva izvozvo, akavata rufu.
8
8:1b.ACT.008.001 Sauro wakanga achitenda kuvurawa kwake. Zvino nenguva iyo kereke yapaJerusarema yakatambudzwa zvikuru, vakaparadzirwa vose kunyika yeJudhea neSamaria, vakasara vaapostra bedzi.
8:2b.ACT.008.002 Varume vakarurama vakaviga Stefano, vakamuchema zvikuru.
8:3b.ACT.008.003 Zvino Sauro akaparadza kereke, achipinda mudzimba dzose, achikakata varume navakadzi, nokuvaisa mutorongo. Firipo unoparidza paSamaria.
8:4b.ACT.008.004 Zvino avo vakaparadzirwa, vakapotenyika, vachiparidza shoko.
8:5b.ACT.008.005 NaFiripo wakaburukira kuguta reSamaria, akavaparidzira Kristu.
8:6b.ACT.008.006 Vanhu vazhinji vakaterera nomoyo mumwe zvairebwa naFiripo, vachinzwa nokuvona zviratidzo zvaakanga achiita.
8:7b.ACT.008.007 Nokuti mweya yetsvina yakabuda kuvazhinji vaiva nayo, ichidanidzira nenzwi guru; navazhinji vakanga vakafa mitezo navaikamhina vakaporeswa.
8:8b.ACT.008.008 Mufaro mukuru ukavapo paguta iro. Simoni Nanga.
8:9b.ACT.008.009 Zvino kwakanga kunomumwe murume, wainzi Simoni, waiva nanga kare paguta iro, waishamisa vanhu veSamaria, achizviita munhu mukuru.
8:10b.ACT.008.010 Vose, vaduku navakuru, vakamuterera, vachiti: Uyu munhu isimba guru raMwari,
8:11b.ACT.008.011 Vakamuterera, nokuti wakanga avashamisa novunanga bwake nguva huru.
8:12b.ACT.008.012 Zvino vakati vatenda Firipo, wakaparidza mashoko ovushe bwaMwari nezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa varume navakadzi.
8:13b.ACT.008.013 Naiye Simoni akatenda vo, ndokubhabhatidzwa vo, akagara naFiripo; akashamiswa, achivona zviratidzo namabasa esimba makuru, akanga achiitwa.
8:14b.ACT.008.014 Zvino vaapostora vaiva paJerusarema, vakati vanzwa kuti vaSamaria vakanga vagamuchira shoko raMwari, vakatuma Petro naJohane kwavari.
8:15b.ACT.008.015 Ivo vakaburukirako, vakavanyengeterera kuti vapiwe Mweya Mutsvene;
8:16b.ACT.008.016 nokuti wakanga asina kuburukira pamusoro pomumwe wavo; vakanga vangobhabhatidzwa muzita raShe Jesu bedzi.
8:17b.ACT.008.017 Ipapo vakaisa mavoko avo pamusoro pavo, vakagamuchira Mweya Mutsvene.
8:18b.ACT.008.018 Zvino Simoni wakati achivona kuti Mweya Mutsvene wapiwa nokuiswa kwamavoko avapostora, akavuya kwavari nemari,
8:19b.ACT.008.019 achiti: Ndipei neni vo simba iri, kuti wandinenge ndichiisa mavoko pamusoro pake, apiwe Mweya Mutsvene.
8:20b.ACT.008.020 Zvino Petro akati kwaari: Sirvheri yako ngaiparadzwe pamwechete newe, nokuti wakafunga kutenga chipo chaMwari nemari.
8:21b.ACT.008.021 Hauna mugove, kana chikamu, pachinhu ichi, nokuti moyo wako hauna kururama pamberi paMwari.
8:22b.ACT.008.022 Naizvozvo tendevuka pakuipa kwako, ukumbire kunaShe, kuti zvimwe ukanganwirwe murangariro womwoyo wako.
8:23b.ACT.008.023 Nokuti ndinovona kuti wapinda munduru inovava, napakusungwa kusakarurama.
8:24b.ACT.008.024 Simoni akapindura, akati: Mundikumbirire zvikuru imi kunaShe, kuti ndirege kuwirwa nechimwe chaizvozvo zvamareva.
8:25b.ACT.008.025 Zvino vakati vapupura kwazvo nokutaura shoko raShe, vakadzokera zve Jerusarema, vachiparidza Evhangeri mumisha mizhinji yavaSamaria. Firipo nomuranda waKandase.
8:26b.ACT.008.026 Zvino mutumwa waShe akataura naFiripo, akati: Simuka, uende Zasi kunzira inobva Jerusarema ichiburukira Gaza; iyo nyika irenje.
8:27b.ACT.008.027 Akasimuka, akaenda; zvino kwakanga kunomurume weEtiopia, muranda mukuru kwazvo waKandase, mambokadzi weEtiopia, waichengeta fuma yake yose, wakanga avuya Jerusarema kuzonamata;
8:28b.ACT.008.028 wakanga achidzoka, agere mungoro yake achirava muporofita Isaya.
8:29b.ACT.008.029 Mweya akati kunaFiripo: Swedera, urambire pangoro iyo.
8:30b.ACT.008.030 Firipo akamhanyirako, akamunzwa achirava muporofita Isaya, akati: Unonzwisisa zvaunorava here?
8:31b.ACT.008.031 Iye akati: Ndingagona seiko, kana mumwe asingandidudziri? Akakumbira zvikuru kunaFiripo kuti akwire, agare naye.
8:32b.ACT.008.032 Zvino paakanga achirava paRugwaro paiti: Wakaiswa pakubayiwa segwai; Segwaiana rinyerere pamberi pomuvevuri waro, Saizvozvo haana kushamisa muromo wake;
8:33b.ACT.008.033 Pakuzvidzwa kwake kutongwa kwake kwakabviswa; Ndianiko ucharondedzera rudzi rwake? Nokuti vupenyu bwake bwunobviswa panyika.
8:34b.ACT.008.034 Muranda akapindura Firipo, akati: Ndinokumbira kwauri, undivudze kuti muporofita unoreva aniko achidaro? Unozvireva iye amene, kana mumwe?
8:35b.ACT.008.035 Ipapo Firipo akashamisa muromo wake; akatanga parugwaro urwu, akamuparidzira Jesu.
8:36b.ACT.008.036 Zvino vakati vachifamba munzira akati: Heyi mvura; chinyiko chingadzivisa ndirege kubhabhatidzwa?
8:37b.ACT.008.037 [Firipo akati: Kana uchitenda nomoyo wako wose, zvingaitwa. Akapindura, akati: Ndinotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari.]
8:38b.ACT.008.038 Akaraira kuti ngoro imire; vakaburukira vose mumvura, iye Firipo nomuranda; akamubhabhatidza.
8:39b.ACT.008.039 Zvino vakati vachibuda mumvura, Mweya waShe ukabvisa Firipo; muranda akasazomuvona zve; nokuti wakafamba rwendo rwake, achifara.
8:40b.ACT.008.040 Asi Firipo wakawanika paAzoto, akapota nyika achiparidza Evhangeri pamaguta ose, kusvikira paKesaria.
9
9:1b.ACT.009.001 Asi Sauro achingorangarira kutyisa nokuvuraya vadzidzi vaShe, wakaenda kumuPirisita mukuru,,
9:2b.ACT.009.002 akakumbira kwaari magwaro okuenda nawo Dhamaseko kumasinagoge, kuti kana awana vamwe vaiva veNzira iyo, varume kana vakadzi, avuye navo Jerusarema vakasungwa.
9:3b.ACT.009.003 Zvino wakati ari parwendo, oswedera pedo neDhamaseko, kamwe-kamwe chiedza chakabva kudenga chikamupenyera pamativi ose,
9:4b.ACT.009.004 akawira pasi, akanzwa inzwi richiti kwaari: Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?
9:5b.ACT.009.005 Iye akati: Ndimi aniko, Ishe? Akati: Ndini Jesu waunotambudza; [zvinokuremera kupfura zvibayiso.
9:6b.ACT.009.006 Iye achidedera nokutya, akati: Ishe, munoda kuti ndiiteiko? Ishe akati kwaari:] Simuka, uende muguta, uchandovudzwa zvaunofanira kuita.
9:7b.ACT.009.007 Varume vaiva parwendo naye, vakamira vanyerere, vachinzwa inzwi, asi vasingavoni munhu.
9:8b.ACT.009.008 Zvino Sauro akasimuka pasi; asi achisvunudza meso ake, haana kuvona chinhu; vakamubata ruvoko, vakaenda naye Dhamaseko.
9:9b.ACT.009.009 Akaita mazuva matatu, asingavoni, asingadyi, asinganwi chinhu.
9:10b.ACT.009.010 Zvino paDhamaseko pakanga panomumwe mudzidzi, wainzi Ananiasi; Ishe akati kwaari nezvaakaratidzwa: Ananiasi! Iye akati: Ndiri pano Ishe!
9:11b.ACT.009.011 Ishe akati kwaari: Simuka, uende munzira yomuguta inonzi Yakarurama, ubvunze mumba maJudhasi, munhu unonzi Sauro weTarso; nokuti tarira, unonyengetera;
9:12b.ACT.009.012 naiye wakavona murume, unonzi Ananiasi achipinda, achiisa mavoko ake pamusoro pake, kuti avone zve.
9:13b.ACT.009.013 Zvino Ananiasi akapindura, akati: Ishe, ndakanzwa navanhu vazhinji zvomunhu uyu, kuti wakaitira vatsvene venyu paJerusarema zvakaipa zvizhinji;
9:14b.ACT.009.014 napano unesimba raakapiwa navaPirisita vakuru, kuti asunge vose vanonamata nezita renyu.
9:15b.ACT.009.015 Asi Ishe, akati kwaari: Enda, nokuti iye mudziyo wakasanangurwa neni, kuti aende nezita rangu kuvahedheni, namadzimambo, nokuvana vaIsraeri;
9:16b.ACT.009.016 nokuti ndichamuratidza zvose, zvaachafanira kutamburira nokuda kwezita rangu.
9:17b.ACT.009.017 Ipapo Ananiasi akaenda akapinda mumba, akaisa mavoko ake pamusoro pake, akati: Sauro, hama, Ishe Jesu, wakazviratidza kwauri munzira yawakavuya nayo, wakandituma, kuti uvone zve, uzadzwe noMweya Mutsvene.
9:18b.ACT.009.018 Pakarepo pameso ake pakabva zvinhu zvinenge mafunhurwa, akavona zve; akasimuka, ndokusimbiswa.
9:19b.ACT.009.019 Akagara navadzidzi paDhamaseko mamwe mazuva.
9:20b.ACT.009.020 Pakarepo akaparidza Kristu mumasinagoge, kuti ndiye Mwanakomana waMwari.
9:21b.ACT.009.021 Vose vakazvinzwa vakashamiswa, vakati: Ko uyu haazi iye waiparadza vaidana kuzita iri paJerusarema here, akavuyira izvozvo pano, kuti aende navo vakasungwa kuvaPirisita vakuru?
9:22b.ACT.009.022 Asi Sauro wakaramba achisimbiswa, akakunda vaJudha vakanga vagere Dhamaseko, achiratidza kuti Jesu ndiye Kristu. Sauro unodzingwa paDhamasko neJerusarema.
9:23b.ACT.009.023 Zvino mazuva mazhinji akati apera, vaJudha vakarangana kuti vamuvuraye.
9:24b.ACT.009.024 Asi kurangana kwavo kwakazikanwa naSauro. Vakarinda vo masuvo masikati novusiku, kuti vamuvuraye.
9:25b.ACT.009.025 Zvino vadzidzi vake vakamutora vusiku, vakamuburusa naparusvingo, vamuisa mudengu.
9:26b.ACT.009.026 Zvino wakati asvika Jerusarema, akaidza kufambidzana navadzidzi; asi ivo vakamutya vose vasingatendi kuti wava mudzidzi.
9:27b.ACT.009.027 Zvino Bharnabhasi akamutora, akaenda naye kuvaapostora, ndokuvarondedzera kuti wakavona Ishe munzira, vuye kuti wakataura naye, vuye kuti wakaparidza nezita raJesu paDhamaseko asingatyi.
9:28b.ACT.009.028 Akagara navo paJerusarema, achifambidzana navo,
9:29b.ACT.009.029 akaparidza nezita raShe asingatyi. Akataura nokuita nharo navaJudha vaitaura chiGiriki; asi ivo vakaidza kumuvuraya.
9:30b.ACT.009.030 Zvino hama dzakati dzichizviziva, dzikamuburusira Kesaria, ndokumutumira Tarso.
9:31b.ACT.009.031 Zvino kereke yakanga inorugare paJudhea rose neGarirea, neSamaria, ikasimbiswa; ikawedzerwa, ichifamba ichitya Ishe, ichinyaradzwa noMweya Mutsvene. Kuporeswa kwaEneasi.
9:32b.ACT.009.032 Zvino Petro wakati achipota nyika kwose, akaburukira vo kuvatsvene vakanga vagere Ridha,
9:33b.ACT.009.033 Akawanapo mumwe munhu, wainzi Eneasi, wakanga avete panhovo makore masere, akafa mitezo.
9:34b.ACT.009.034 Petro akati kwaari: Eneasi, Jesu Kristu unokuporesa; simuka,, uwarure nhovo dzako! Akasimuka pakarepo.
9:35b.ACT.009.035 Zvino vose vakanga vagere Ridha neSaroni vakamuvona, vakatendevukira kunaShe. Kumutswa kwaTabhita parufu.
9:36b.ACT.009.036 Zvino paJopa pakanga panomukadzi waiva mudzidzi, wainzi Tabhita, ndokuti Dorkasi, kana zvichishandurwa. Iye wakashingaira zvikuru pamabasa akanaka nezvipo.
9:37b.ACT.009.037 Zvino namazuva iwayo iye akarwara, ndokufa. Vakati vamushambidza, vakamuisa muimba yokumusoro,
9:38b.ACT.009.038 Zvino Ridha zvawakanga uri pedo neJopa, vadzidzi vakati vanzwa kuti Petro uripo, vakatumira kwaari vanhu vaviri, kuti vandokumbira zvikuru kwaari, vachiti: Usanonoka hako kuvuya kwatiri.
9:39b.ACT.009.039 Ipapo Petro akasimuka, akaenda navo. Wakati asvika, vakamuisa kuimba yokumusoro chirikadzi dzose dzikamira naye dzichichema, vakamuratidza zvokupfeka nenguvo, dzavakanga vaitirwa naDorkasi, achiri navo.
9:40b.ACT.009.040 Zvino Petro akavabudisira panze vose, akafugama, akanyengetera, ndokutendevukira kumutumbu, akati: Tabhita, muka! Akasvunura meso ake; zvino wakati achivona Petro, akagara.
9:41b.ACT.009.041 Akamubata noruvoko rwake, akamusimudza; akadana vatsvene nechirikadzi, akamuisa pamberi pavo ari mupenyu.
9:42b.ACT.009.042 Zvikazikanwa navose paJopa; vazhinji vakatenda kunaShe.
9:43b.ACT.009.043 Ipapo akagara mazuva mazhinji paJopa, kunomumwe Simoni, musuki wamatebwe.
10
10:1b.ACT.010.001 Zvino kwakanga kunomumwe murume paKesaria, wainzi Kornerio, mukuru wezana wehondo yainzi yeItaria,
10:2b.ACT.010.002 Munhu, wainamata nowaitya Mwari, iye neveimba yake yose, waipa vanhu zvipo zvizhinji, nokunyengetera kunaMwari misi yose.
10:3b.ACT.010.003 Zvino nenguva inenge yepfumbamwe yezuva akavona kwazvo, nezvaakaratidzwa, mutumwa waMwari achipinda kwaari, achiti kwaari: Kornerio!
10:4b.ACT.010.004 Iye akamutarisisa, akatya, akati; Chinyiko Ishe? Akati kwaari: Minyengetero yako nezvipo zvako zvakwira pamberi paMwari, zvarangarirwa.
10:5b.ACT.010.005 Zvino tuma varume Jopa kundodana Simoni, unotumidzwa Petro.
10:6b.ACT.010.006 Unogara nomumwe unonzi Simoni, musuki wamatebwe, imba yake iri pagungwa iye uchakuvudza zvaunofanira kuita.
10:7b.ACT.010.007 Zvino mutumwa, wakataura naye, wakati abva, akadana varanda vake vaviri nomurwi wakarurama pakati pavaisimushumira,
10:8b.ACT.010.008 akavavudza zvose, ndokuvatumira Jopa.
10:9b.ACT.010.009 Zvino fume mangwana vachiri parwendo, vava pedo neguta, Petro akakwira pamusoro peimba kundonyengetera nenguva inenge yechitanhatu.
10:10b.ACT.010.010 Akaziya kwazvo, akada kudya; zvino vakati vachagadzira akabatwa nomweya;
10:11b.ACT.010.011 akavona denga razarurwa, nechimwe chinhu chichiburuka somucheka mukuru unoburusirwa pasi wakasungwa miromo mina.
10:12b.ACT.010.012 Maiva nemhuka dzose dzinamakumbo mana nezvinokambaira zvenyika, neshiri dzedenga.
10:13b.ACT.010.013 Inzwi rikavuya kwaari, richiti: Simuka Petro, baya, udye.
10:14b.ACT.010.014 Asi Petro akati: Kwete, Ishe, nokuti handina kutongodya chinhu chisakanaka, chinetsvina.
10:15b.ACT.010.015 ipapo inzwi rikavuya zve kwaari rwechipiri, richiti: Chakanatswa naMwari, usati, chinetsvina iwe.
10:16b.ACT.010.016 Izvozvo zvakaitwa katatu, chinhu chikakwidzwa pakarepo kudenga.
10:17b.ACT.010.017 Zvino Petro wakati achakanganiswa mumoyo make kuti chiratidzo chaakanga avona chairevei, tarira varume vakanga vatumwa naKornerio, vamira pasuvo vachibvunza imba yaSimoni;
10:18b.ACT.010.018 vakadana, vakabvunza kana Simoni, unonzi Petro, agerepo.
10:19b.ACT.010.019 Zvino Petro, achafunga chiratidzo, Mweya akati kwaari: Tarira, varume vatatu vanokutsvaka.
10:20b.ACT.010.020 Zvino simuka, uburuke, uende navo, usinganyunyuti, nokuti ndini ndava tuma.
10:21b.ACT.010.021 Ipapo Petro akaburukira kuvarume avo, akati kwavari: Tarirai, ndini wamunotsvaka; shoko ramavuyira ndereiko?
10:22b.ACT.010.022 Vakati: Kornerio, mukuru wezana, murume wakarurama, unotya Mwari, unorumbidzwa norudzi rwose rwavaJudha, wakarairwa naMwari nomutumwa mutsvene, kuti anzwe mashoko kwamuri.
10:23b.ACT.010.023 Ipapo akavadana mumba, akati vagarepo. Fume mangwana akasimuka, akaenda navo; nedzimwe hama dzapaJopa dzikamuperekedza.
10:24b.ACT.010.024 Fume zve mangwana akapinda Kesaria, Zvino Kornerio wakanga akavamirira, akakokera hama dzake neshamwari dzake dzaidikanwa.
10:25b.ACT.010.025 Zvino Petro wakati achipinda, Kornerio akamuchingamidza, akawira pasi petsoka dzake, akamunamata.
10:26b.ACT.010.026 Asi Petro wakamusimudza, akati: Simuka, neni ndiri munhu vo.
10:27b.ACT.010.027 Zvino wakati achataura naye, akapinda, akawana vazhinji vakavungana,
10:28b.ACT.010.028 akati kwavari: Imi munoziva kuti hazvina kufanira kuti muJudha afambidzane nomunhu worumwe rudzi, kana kuvuya kwaari: Asi Mwari wakandiratidza, kuti ndirege kuti munhu haana kunaka, kana kuti unetsvina;
10:29b.ACT.010.029 naizvozvo ndavuya, ndisingarambi, zvandadanwa; zvino ndinobvunza kuti mandidanireiko.
10:30b.ACT.010.030 Kornerio akati: Ava mazuva mana kusvikira nguva ino, ini ndakanga ndichinyengetera mumba mangu nenguva yepfumbamwe, ipapo ndikavona murume amire pamberi pangu, anenguvo dzinopenya.
10:31b.ACT.010.031 akati: Kornerio, kunyengetera kwako kwanzwika, nezvipo zvako zvarangarirwa naMwari.
10:32b.ACT.010.032 Naizvozvo chitumira vanhu Jopa, udane Simoni, unonzi Petro; unogara mumba maSimoni musuki wamatebwe, pagungwa iye kana auya uchataura newe.
10:33b.ACT.010.033 Naizvozvo ndakakurumidza kutuma kwamuri; zvino maita zvakanaka, zvamavuya. Zvino isu tose tiri pano pamberi paMwari, kuti tinzwe zvamarairwa naShe.
10:34b.ACT.010.034 Ipapo Petro akashamisa muromo wake, akati: Zvirokwazvo, ndinovona kuti Mwari haazi mutsauri wavanhu;
10:35b.ACT.010.035 asi parudzi rupi norupi, munhu, unomutya, achiita zvakarurama, unogamuchirwa naye.
10:36b.ACT.010.036 Ndiro shoko raakatuma kuvana vaIsraeri achiparidza mashoko akanaka orugare naJesu Kristu (ndiye Ishe wavose),
10:37b.ACT.010.037 Imi munoziva shoko iro rakaparidzwa paJudhea rose, rakatanga paGarirea, shure kwokubhabhatidzwa kwakaparidzwa naJohane;
10:38b.ACT.010.038 raJesu weNazareta, kuti Mwari wakamuzodza noMweya Mutsvene nesimba; iye waipotenyika, achiita zvakanaka, achiporesa vose vakamanikidzwa naDhiabhorosi; nokuti Mwari waiva naye.
10:39b.ACT.010.039 Nesu tiri zvapupu zvazvose, zvaakaita munyika yavaJudha nomuJerusarema; ndiye wavakavuraya, vachimuturika pamuti.
10:40b.ACT.010.040 Ndiye wakamutswa naMwari nezuva retatu, akamupa simba kuti avonekwe pachena;
10:41b.ACT.010.041 akasavonekwa navanhu vose, asi nezvapupu zvakagara zvatsaurwa naMwari, iyesu taidya nokunwa naye, amuka kuvakafa.
10:42b.ACT.010.042 Akatiraira kuti tiparidzire vanhu, nokupupura kwazvo kuti ndiye wakagadzwa naMwari kuti ave Mutongi wavapenyu navakafa.
10:43b.ACT.010.043 Vaporofita vose vanomupupurira kuti nezita rake mumwe nomumwe unotenda kwaari uchapiwa kanganwiro yezvivi.
10:44b.ACT.010.044 Petro wakati achataura mashoko awa, Mweya Mutsvene akaburuka pamsoro pavose, vakanzwa shoko.
10:45b.ACT.010.045 Zvino vatendi vokudzingisa, vakanga vavuya naPetro, vakashamiswa, nokuti chipo choMweya Mutsvene chakanga chadururwa pamusoro pavahedheni vo;
10:46b.ACT.010.046 nokuti vakavanzwa vachitaura nedzimwe ndimi, vachirumbidza Mwari. Ipapo Petro akapindura akati:
10:47b.ACT.010.047 Kunomunhu here ungadzivisa mvura, kuti ava, vakapiwa Mweya Mutsvene sesu, varege kubhabhatidzwa?
10:48b.ACT.010.048 Zvino akaraira kuti vabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu. Ipapo vakakumbira kwaari, kuti ambogara mamwe mazuva.
11
11:1b.ACT.011.001 Zvino vaapostora nehama, vaiva paJudhea, vakanzwa kuti vahedheni vakagamuchira vo shoko raMwari
11:2b.ACT.011.002 Zvino Petro wakati akwira Jerusarema,vatendi vokudzingisa vakaita nharo naye,
11:3b.ACT.011.003 vachiti: Wakapinda iwe kuvarume vasina kudzingiswa, ukadya navo.
11:4b.ACT.011.004 Zvino Petro akatanga kuvarondedzera zvose, zvichitevedzana, achiti:
11:5b.ACT.011.005 Ndakanga ndiri muguta reJopa, ndichinyengetera; ndikabatwa nomweya, ndikavona chiratidzo; chimwe chinhu chakaburuka, chinenge mucheka mukuru unoburuswa kudenga wakasungwa miromo mina, chikasvika kwandiri;
11:6b.ACT.011.006 ndakati ndachitarisisa, nokucherekedza, ndikavona mhuka dzenyika dzinamakumbo mana nezvikara, nezvinokambaira, neshiri dzedenga,
11:7b.ACT.011.007 ndikanzwa vo inzwi richiti kwandiri: Simuka Petro, baya, udye.
11:8b.ACT.011.008 Asi ini ndikati: Kwete Ishe, nokuti mumuromo mangu hamuna kumbopinda chinhu chisakanaka, chinetsvina.
11:9b.ACT.011.009 Asi inzwi rakapindura rwechipiri, richibva kudenga, richiti: Icho chakanatswa naMwari, iwe usati, hachinakunaka.
11:10b.ACT.011.010 Izvozvi zvakaitwa katatu, zvose zvikakwidzwa zve kudenga.
11:11b.ACT.011.011 Ipapo tarira pakarepo varume vatatu vamire pamberi peimba matakanga tiri vakanga vatumirwa kwandiri vachibva Kesaria.
11:12b.ACT.011.012 Ipapo ndikakokerwa noMweya, kuti ndienda navo, ndisinganyunyuti. Nehama idzi nhanhatu vo dzakandiperekedza, tikapinda mumba momurume uyu.
11:13b.ACT.011.013 Iye akativudza vo kuti wakavona mutumwa amire mumba make, achiti: Tumira Jopa, udane Simoni, unonzi Petro;
11:14b.ACT.011.014 iye uchakuvudza mashoko auchaponeswa nawo, iwe nemhuri yako yose.
11:15b.ACT.011.015 Zvino ndakati ndichatanga kutaura, Mweya Mutsvene akaburuka pamusoro pavo, sapamusoro pedu vo pakutanga.
11:16b.ACT.011.016 Ini ndikarangarira shoko raShe, rokuti: Johane wakabhabhatidza nemvura, asi imi muchabhabhatidzwa noMweya Mutsvene.
11:17b.ACT.011.017 Zvino kana Mwari akavapa chipo icho chaakatipa isu, pakutenda kwedu kunaShe Jesu Kristu, ini ndaigova ani, waigona kudzivisa Mwari?
11:18b.ACT.011.018 Zvino vakati vanzwa izvozvo, vakanyarara, vakakudza Mwari vachiti: Zvirokwazvo, Mwari wakapa vahedheni vo kutendevuka kwovupenyu. Bharnabasi naSauro vanoparidza paAntiokia.
11:19b.ACT.011.019 Zvino avo vakaparadzirwa nokutambudzika kwakamuka pamusoro paStefano, vakaenda kusvikira paFenikia neKupro, neAntiokia, vasingatauri shoko kumunhu, asi kunavaJudha bedzi.
11:20b.ACT.011.020 Zvino pakati pavo paiva navamwe varume veKupro neKurini ivo vakati vasvika Antiokia, vakataura kuvaGiriki vo, vachiparidza Ishe Jesu.
11:21b.ACT.011.021 Ruvoko rwaShe rukava navo, vazhinji vakatenda, vakatendevukira kunaShe.
11:22b.ACT.011.022 Mashoko avo akanzwika nekereke paJerusarema, vakatuma Bharnabhasi kuti aende Antiokia.
11:23b.ACT.011.023 Iye wakati asvika, avona nyasha dzaMwari, akafara; akaraira vose kuti vanamatire Ishe nomoyo wakasimba;
11:24b.ACT.011.024 nokuti waiva murume wakanaka, uzere noMweya Mutsvene nokutenda; vazhinji-zhinji vakawedzerwa kunaShe.
11:25b.ACT.011.025 Iye akaenda Tarso achindotsvaka Sauro.
11:26b.ACT.011.026 Zvino wakati amuwana, akavuya naye Antiokia. Ipapo vakavungana nekereke gore rose, vakadzidzisa vanhu vazhinji-zhinji; paAntiokia vadzidzi vakatanga kunzi Vakristu.
11:27b.ACT.011.027 Namazuva iwayo vaporofita vakaburuka vachibva Jerusarema, vakaenda Antiokia.
11:28b.ACT.011.028 Mumwe wavo wainzi Agabo, akasimuka, ndokuvazivisa noMweya kuti nzara huru ichavapo panyika yose; iyo ikasvika panguva yaKraudio.
11:29b.ACT.011.029 Ipapo vadzidzi vakatenderana, kuti mumwe nomumwe paaigona napo atume zvingabatsira hama dzigere Judhea.
11:30b.ACT.011.030 Vakaita kudaro, vakazvitumira naBharnabhasi naSauro kuvakuru.
12
12:1b.ACT.012.001 Zvino nenguva inenge iyeyo mambo Herodhe akatambanudza mavoko ake kuti atambudze vamwe vekereke;
12:2b.ACT.012.002 akavuraya Jakobho, mukuru waJohane, nomunondo.
12:3b.ACT.012.003 Zvino wakati achivona kuti zvafadza vaJudha, ndokupfuvura akabata Petro vo. Aiva mazuva ezvingwa zvisinembiriso.
12:4b.ACT.012.004 Zvino wakati amubata, akamusunga mutorongo, akamuisa kumapoka mana, rimwe nerimwe rinavarwi vana, kuti vamurinde, achiti amuise pamberi pavanhu, kana paseka yapfuvura.
12:5b.ACT.012.005 Naizvozvo Petro akachengetwa mutorongo,; asi wakanga achinyengetererwa zvikuru nekereke kunaMwari.
12:6b.ACT.012.006 Zvino Herodhe wakati oda kumubudisa, vusiku ibwobwo Petro wakanga avete pakati pavarwi vaviri, akasungwa namaketani maviri; navarindi vakanga vachirinda torongo pamberi pomukova.
12:7b.ACT.012.007 Ipapo, tarira, mutumwa waShe wakamirapo, chiedza chikapenya mumba; akarova Petro parutivi, ndokumumutsa, achiti: Muka, ukurumidze. Ipapo maketani akawa pamavoko ake.
12:8b.ACT.012.008 Mutumwa akati kwaari: Zvisunge chivuno, usungire shangu dzako. Akaita saizvozvo. Akati kwaari: Fuka nguvo yako, unditevere.
12:9b.ACT.012.009 Akabuda, akamutevera, asingazivi kuti zvirokwazvo zvinoitwa nomutumwa; asi wakati ndinovona chiratidzo.
12:10b.ACT.012.010 Zvino vakati vapfuvura murindi wokutanga nowechipiri, vakasvika pasuvo ramatare, pavaipinda napo paguta; rikangovazarukira roga; vakabuda, vakapfuvura neimwe nzira, mutumwa ndokubva kwaari pakarepo.
12:11b.ACT.012.011 Petro wakati apengenuka, akati: Zvino ndinoziva zvirokwazvo kuti Ishe wakatuma mutumwa wake, akandirwira paruvoko rwaHerodhe napazvose zvakanga zvichifungwa navanhu vavaJudha.
12:12b.ACT.012.012 Zvino wakati arangarira izvozvo, akaenda kumba kwaMaria, mai vaJohane, wainzi Marko; vazhinji vakanga vakavunganapo, vachinyengetera.
12:13b.ACT.012.013 Zvino wakati agogodza pagonhi resuvo, musikana wainzi Rodha akavuya kuzoterera.
12:14b.ACT.012.014 Iye akati achinzwa inzwi raPetro, akasazarura suvo nomufaro, asi wakamhanyira mukati akavavudza kuti Petro umire pasuvo.
12:15b.ACT.012.015 Ivo vakati kwaari: Unopenga. Asi iye wakasimbisa achiti ndizvozvo. Ivo vakati: Mutumwa wake.
12:16b.ACT.012.016 Asi Petro wakaramba achigogodza; vakazozarura, vakamuvona, vakashamiswa.
12:17b.ACT.012.017 Zvino iye akavaninira noruvoko kuti vanyarare, akavarondedzera mutovo waakabudiswa nawo naShe patorongo. Akati: Vudzai Jakobho nehama zvinhu izvozvi; ndokubva akaenda kumwe.
12:18b.ACT.012.018 Zvino kwakati kwaedza, bope guru rikavapo pakati pavarwi, vachiti Petro waitiwa sei?
12:19b.ACT.012.019 Herodhe wakati amutsvaka, akamushaiwa, ndokubvunzisisa varindi, akaraira kuti vavurawe. Zvino akaburuka Judhea, akaenda Kesaria, akandogarako.
12:20b.ACT.012.020 Zvino akatsamwira zvikuru vanhu veTire neSidhoni; ivo ndokuvuya kwaari vose pamwe chete, vakaita vushamwari naBrasto, mutariri weimba yamambo, vakakumbira rugare, nokuti nyika yavo yaipiwa zvokudya nenyika yamambo.
12:21b.ACT.012.021 Ipapo nezuva rakanga ratarwa, Herodhe akafuka nguvo dzovumambo, akagara pachigaro chake chovushe, akataura kwavari.
12:22b.ACT.012.022 Ipapo vanhu vakadanidzira vachiti: Inzwi raMwari, harizi romunhu.
12:23b.ACT.012.023 Pakarepo mutumwa waShe ukamurova, nokuti wakanga asinakukudza Mwari; akadyiwa nehonye, akafa.
12:24b.ACT.012.024 Asi shoko raMwari rakakura rikawanda.
12:25b.ACT.012.025 Zvino Bharnabhasi naSauro vakati vapedzisa basa ravo, vakadzokera Jerusarema, vakaenda naJohane, wainzi Marko.
13
13:1b.ACT.013.001 Zvino pakereke yapaAntiokia paiva navaporofita navadzidzisi, vaiti: Bharnabhasi naSimeoni, wainzi Nigeri, naRukio weKurini, naManaeni wakanga arerwa pamwe chete naHerodhe mubati, naSauro.
13:2b.ACT.013.002 Vakati vachishumira Ishe, nokuzvinyima zvokudya, Mweya Mutsvene akati: Nditsaurirei Barnabhasi naSauro kubata basa randakavadanira.
13:3b.ACT.013.003 Ipapo vakazvinyima zvokudya, vakanyengetera, vakaisa mavoko pamusoro pavo, ndokuvaendisa. Vanodziviswa naErimasi paPafosi.
13:4b.ACT.013.004 Naizvozvo vakati vatumwa noMweya Mutsvene, vakaburukira Serukia; vakabvapo vakaenda Kupro nechikepe.
13:5b.ACT.013.005 Vachisvika paSarami, vakaparidza shoko raMwari mumasinagoge avaJudha. Vakanga vanaJohane vo, waiva mubatsiri wavo.
13:6b.ACT.013.006 Vakati vagura chiwi chose kusvikira paPafosi, vakawana imwe nanga, waiva muporofita wenhema, muJudha, zita rake rainzi Bari-Jesu.
13:7b.ACT.013.007 Waigara pamubati wenyika, wainzi Sergio Pauro, munhu wakachenjera. Iye ndokudana Bharnabhasi naSauro, achitsvaka kunzwa shoko raMwari.
13:8b.ACT.013.008 Asi nanga iyo Erimasi (nokuti ndiro zita rake, kana richishandurwa), akavadzivisa, achitsvaka kutsausa mubati pakutenda.
13:9b.ACT.013.009 Asi Sauro (ndiye Pauro vo), azere noMweya Mutsvene, akamutarisisa, akati:
13:10b.ACT.013.010 Iwe, uzere nokunyengera kwose namano akaipa ose, mwanakomana waDhiabhorosi, muvengi wokururama kwose, hauregi here kutsausa nzira dzakarurama dzaShe?
13:11b.ACT.013.011 Zvino, tarira, ruvoko rwaShe ruri pamusoro pako; uchava bofu, uchaita nguva usingavoni zuva. Pakarepo mhute nerima zvikamuwira; akapota-pota, achitsvaka vangamusesedza noruvoko.
13:12b.ACT.013.012 Zvino mubati wakati achivona zvaitika, akatenda, akashamiswa nedzidziso yaShe. Pauro unoparidza paAntiokia paPisidia.
13:13b.ACT.013.013 Zvino Pauro navaiva naye, vakabva Pafosi, ndokusvika Perga muPamfiria; Johane akabva kwavari, ndokudzokera Jerusarema.
13:14b.ACT.013.014 Asi ivo vakabva Perga, vakasvika Antiokia paPisidia; vakapinda musinagoge nezuva resabata, ndokugara pasi.
13:15b.ACT.013.015 Zvino murairo navaporofita zvakati zvarabwa, vabati vesinagoge vakatuma shoko kwavari, vachiti: Varume, hama, kana muneshoko rokuvaraidza vanhu, taurai henyu.
13:16b.ACT.013.016 Ipapo Pauro akasimuka, akavaninira noruvoko, akati: Varume vaIsraeri, nemi munotya Mwari, tererai:
13:17b.ACT.013.017 Mwari wavanhu ava vaIsraeri wakasanangura madzibaba edu, akakudza vanhu ava, vachiri vatorwa munyika yeIjipiti; akavabudisa mairi noruvoko runesimba,
13:18b.ACT.013.018 akava nomoyo murefu namafambire avo murenje makore anenge makumi mana,
13:19b.ACT.013.019 akaparadza marudzi manomwe munyika yeKanani, akavagovera nyika yavo nemijenya, ive nhaka yavo makore anenge mazana mana namakumi mashanu.
13:20b.ACT.013.020 Shure kwaizvozvo akavapa vatongi kusvikira kumuporofita Samueri.
13:21b.ACT.013.021 Pashure vakakumbira mambo; Mwari akavapa Sauro, mwanakaomana waKisi, murume worudzi rwaBenjamini, makore makumi mana.
13:22b.ACT.013.022 Akamubvisa akamutsa Dhavhidhi, kuti ave mambo wavo, waakapupura achiti: Ndawana Dhavhidhi, mwanakomana waJese murume womoyo wangu, uchaita kuda kwangu kwose.
13:23b.ACT.013.023 Parudzi rwaiyeyo, Mwari akamutsira vaIsraeri Muponesi Jesu, se zvaakanga avapikira;
13:24b.ACT.013.024 iye asati asvika, Johane akamboparidzira vanhu vaIsraeri rubhabhatidzo rwokutendevuka.
13:25b.ACT.013.025 Zvino Johane wakati opedzisa basa rake, akati: Munoti, ndini aniko? Handizi iye. Asi tarirai, shure kwangu mumwe unovuya, wandisakafanira kuti ndisunungure shangu dzetsoka dzake.
13:26b.ACT.013.026 Varume, hama, vana vorudzi rwaAbhurahamu, navari pakati penyu vanotya Mwari, shoko roruponeso urwu rakatitumirwa isu.
13:27b.ACT.013.027 Nokuti vaigara Jerusarema navabati vavo, zvavakanga vasingamuzivi iye, kana manzwi avaporofita, anorabwa sabata rimwe nerimwe vakaazadzisa pakumupa mhaka kwavo.
13:28b.ACT.013.028 Kunyange vasina kuwana mhosva yorufu kwaari, vakakumbira kunaPirato kuti avurawe.
13:29b.ACT.013.029 Zvino vakati vapedza zvose zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuturura pamuti, vakamuviga mubwiro.
13:30b.ACT.013.030 Asi Mwari wakamumutsa kuvakafa.
13:31b.ACT.013.031 Akavonekwa mazuva mazhinji navakanga vakwira naye Jerusarema, vachibva Garirea, avo vari zvapupu zvake zvino kuvanhu.
13:32b.ACT.013.032 zvino tinokuparidzirai mashoko emufaro kuti chipikirwa chakaitwa kumadzibaba edu.
13:33b.ACT.013.033 Kuti Mwari wakachizadzisa kwatiri isu vana vavo pakuti wakasimudzazve Jesu sezvazvakanyorwa mupisarema rechipiri ndiwe mwanakomana wangu nhasi ndakubereka.
13:34b.ACT.013.034 Zvino zvaanoti wakamumutsa kuvakafa kuti asazodzokerazve kukuvora wakareva kudai ndichakupai mikomborera mitsvene inotendwa yaDhavhidhi.
13:35b.ACT.013.035 Nokuti unoreva panerimwe Pisarema, achiti: Hamungaisi Mutsvene wenyu kuti avone kuvora.
13:36b.ACT.013.036 Nokuti Dhavhidhi wakati aita kuda kwaMwari parudzi rwake, akavata rufu, akavigwa kunamadzibaba ake, akavona kuvora.
13:37b.ACT.013.037 Asi uyu, wakamutswa naMwari haana kuvora.
13:38b.ACT.013.038 Naizvozvo varume, hama, muzive imi, kuti kanganwiro yezvivi noyuyu inokuparidzirwai imi.
13:39b.ACT.013.039 Noyuyu, mumwe nomumwe unotenda, unoruramiswa pazvose, zvamakanga musingagoni kururamiswa pazviri nomurairo waMosesi.
13:40b.ACT.013.040 Naizvozvo chenjerai, kuti murege kuwirwa nezvakarebwa navaporofita, zvinoti:
13:41b.ACT.013.041 Tarirai, imi vazvidzi, mushamiswe, muparare; Nokuti ndinobata basa pamazuva enyu, Basa ramucharamba kutongotenda, kana muchizvivudzwa nomunhu.
13:42b.ACT.013.042 Zvino vakati vachibuda musinagoge, vakakumbira zvikuru kuti vaparidzirwe zve mashoko iwayo nesabata rinotevera.
13:43b.ACT.013.043 Zvino vesinagoge vakati vapararira, vaJudha vazhinji navaproserite vainamata Mwari, vakatevera Pauro naBharnabhasi; ivo vakataurirana navo, vakavaraira kuti varambire panyasha dzaMwari.
13:44b.ACT.013.044 Nesabata rakatevera guta rinenge rose. Rakavungana kuzonzwa shoko raMwari.
13:45b.ACT.013.045 Zvino vaJudha vakati vachivona vanhu vazhinji, vakazara negodo, vakaramba zvakarebwa naPauro, vachimhura Mwari.
13:46b.ACT.013.046 Ipapo Pauro, naBharnabhasi vakataura vasingatyi, vakati: Zvakanga zvakafanira kuti shoko raMwari ritange kutaurirwa imi, asi zvamariramba, muchiti, hamufanirwi novupenyu bwusingaperi, tarirai, zvino toenda kuvahedheni.
13:47b.ACT.013.047 Nokuti Ishe wakatiraira saizvozvo, achiti: Ndakakuisa kuti uve chiedza chavahedheni, Kuti uve ruponeso kusvikira kumugumo wenyika.
13:48b.ACT.013.048 Zvino vahedheni vakati vachinzwa izvozvo, vakafara, vakakudza shoko raShe; navose vakanga vatarirwa vupenyu bwusingaperi vakatenda.
13:49b.ACT.013.049 Shoko raShe rikaparidzirwa kunyika yose.
13:50b.ACT.013.050 Asi vaJudha vakakurudzira vakadzi vainamata Mwari, vaikudzwa, navakuru veguta; vakamutsira Pauro naBharnabhasi dambudziko, vakavadzinga munyika yavo.
13:51b.ACT.013.051 Asi ivo vakazuza guruva patsoka dzavo, vakaenda Ikonio.
13:52b.ACT.013.052 Vadzidzi vakaramba vachizadzwa nomufaro noMweya Mutsvene.
14
14:1b.ACT.014.001 Zvino paIkonio vakapinda pamwechete vose musinagoge ravaJudha, vakataura nokudaro kuti vazhinji-zhinji vavaJudha navaGiriki vakatenda.
14:2b.ACT.014.002 Asi vaJudha vasina kuterera, vakamutsa moyo yavahedheni, kuti vavenge hama.
14:3b.ACT.014.003 Naizvozvo vakagarapo nguva refu, vachitaura munaShe vasingatyi; iye akapupurira shoko renyasha dzake, akavapa simba kuti zviratidzo nezvishamiso zviitwe namavoko avo.
14:4b.ACT.014.004 Asi vanhu vazhinji veguta vakapesana, vamwe vakava kuvaJudha, vamwe kuvaapostora.
14:5b.ACT.014.005 Zvino vahedheni, navaJudha, navabati vavo vakati vachivavarira kuvaitira zvakaipa nokuvataka namabwe;
14:6b.ACT.014.006 ivo vakazviziva, vakatizira Ristra neDerbe, aiva maguta eRikaonia, nokunyika yakapoteredza;
14:7b.ACT.014.007 vakaparidzira Evhangeri ikoko.
14:8b.ACT.014.008 Zvino paRistra paigara mumwe murume wakanga asinesimba patsoka dzake, chirema kubva padumbu ramai vake, asina kutongofamba.
14:9b.ACT.014.009 Iye wakanzwa Pauro achitaura; zvino iye wakati achimutarisisa, akavona kuti unokutenda kuti ungaporeswa,
14:10b.ACT.014.010 akati nenzwi guru: Mira kwazvo netsoka dzako. Iye akavhazuka, akafamba.
14:11b.ACT.014.011 Vanhu vazhinji vakati vavona zvaitwa naPauro, vakadanidzira norurimi rwavaRikaonia, vachiti: Vamwari vaburukira kwatiri, vakaita savanhu.
14:12b.ACT.014.012 Bharnabhasi vakamutumidza Jupiteri, naPauro Merkurio, nokuti ndiye waiva mutauri mukuru.
14:13b.ACT.014.013 Ipapo muPirisita waJupiteri waiva netembere yake pamberi peguta, akavuya pamasuvo nenzombe namaruva okushonga, achida kuvabayira, anavanhu vazhinji naye.
14:14b.ACT.014.014 Zvino vaapostora, Bharnabhasi naPauro, vakati vachinzwa izozvo, vakabvarura nguvo dzavo, vakamhanyira pakati pavanhu vazhinji, vakadanidzira.
14:15b.ACT.014.015 vachiti: Varume, munoitireiko izvozvi? Nesu tiri vanhu semi vo; tinokuparidzirai mashoko akanaka, kuti mubve panaizvozvo zvisinamaturo, mutendevukire kunaMwari mupenyu wakaita denga napasi, negungwa, nezvose zviri mukati mazvo.
14:16b.ACT.014.016 Iye, panguva dzakapfuvura wakatendera vahedheni vose kufamba nenzira dzavo.
14:17b.ACT.014.017 Asi haana kurega kuzvipupurira, achiita zvakanaka, achikupai mvura yokudenga, nenguva dzezviyo zvizhinji, achizadza moyo yenyu nezvokudya nomufaro.
14:18b.ACT.014.018 Nokutaura kwavo saizvozvo, vakatambura kwazvo kudzivisa vanhu kuti varege kuvabayira.
14:19b.ACT.014.019 Ipapo vaJudha vakabva Antiokia neIkonio, vakasvika, vakamutsa moyo yavanhu vazhinji, vakataka Pauro namabwe, vakamukwevera kunze kweguta vachiti wafa.
14:20b.ACT.014.020 Asi vadzidzi vakati vamukomba, iye akasimuka, akapinda muguta. Fume mangwana akaenda Derbe naBharnabhasi.
14:21b.ACT.014.021 Vakati vaparidza Evhangeri paguta iro, vakaita vadzidzi vazhinji, ndokudzokera Ristra, neIkonio, neAntiokia,
14:22b.ACT.014.022 vachisimbisa mweya yavadzidzi, vachivaraira kuti vatsungirire pakutenda, vachiti, tinofanira kupinda vushe bwaMwari namadambudziko mazhinji.
14:23b.ACT.014.023 Vakavasanangurira vakuru pakereke imwe neimwe, vakanyengetera, vachizvinyima zvokudya, vakavaisa kunaShe, wavaitenda.
14:24b.ACT.014.024 Vakagura nePisidia, ndokusvika Pamfiria.
14:25b.ACT.014.025 Vakati vaparidza shoko paPerga, vakaburukira Ataria.
14:26b.ACT.014.026 Vakabvapo, vakaenda Antiokia nechikepe, apo pavakanga vaiswa panyasha dzaMwari kubata basa ravakanga vapedzisa zvino.
14:27b.ACT.014.027 Vakati vasvika, vakavunganidza kereke, vakarondedzera zvose zvakanga zvaitwa naMwari navo, vuye kuti wakanga azarurira vahedheni mukova wokutenda.
14:28b.ACT.014.028 Vakagara nguva huru navadzidzi.
15
15:1b.ACT.015.001 Zvino vamwe vakaburuka Judhea, vakadzidzisa hama, vachiti: Kana musingadzingiswi netsika yaMosesi, hamungaponeswi.
15:2b.ACT.015.002 Asi Pauro naBharnabhasi vakapesana kwazvo navo, nokuita nharo navo, vakazotenderana kuti Pauro naBharnabhasi navamwe vavo vakwire Jerusarema kuvaapostora navakuru pamusoro peshoko iri.
15:3b.ACT.015.003 Naizvozvo vakaperekedzwa nekereke, vakagura neFenike neSamaria, vakataura zvokutendevuka kwavahedheni; vakafadza zvikuru hama dzose.
15:4b.ACT.015.004 Zvino vakati vasvika Jerusarema, vakagamuchirwa nekereke, navaapostora, navakuru; vakarondedzera zvose zvakaitwa naMwari navo.
15:5b.ACT.015.005 Asi vamwe vedzidziso yavaFarise, vaitenda, vakasimuka, vakati, vanofanira kudzingiswa nokurairwa kuti vachengete murairo waMosesi.
15:6b.ACT.015.006 Ipapo vaapostora navakuru vakavungana kuti varangane pamusoro peshoko iri.
15:7b.ACT.015.007 Zvino, nharo huru dzakati dzavapo. Petro akasimuka akati kwavari: Varume, hama, munoziva kuti kubva pamazuva akare Mwari wakandisanangura pakati penyu, kuti vahedheni vanzwe shoko reEvhangeri nomuromo wangu, vatende.
15:8b.ACT.015.008 Zvino Mwari, muzivi womoyo, wakavapupurira, akavapa Mweya Mutsvene sesu;
15:9b.ACT.015.009 haana kutsaura pakati pedu navo, zvaakanatsa moyo yavo nokutenda.
15:10b.ACT.015.010 Naizvozvo zvino munoidzirei Mwari, muchiisa pamitsipa yavadzidzi joko, rakanga risingagoni kutakurwa namadzibaba edu kunyange nesu?
15:11b.ACT.015.011 Asi tinotenda kuti isu tichaponeswa nenyasha dzaShe Jesu Kristu nomutovo mumwe navo.
15:12b.ACT.015.012 Ipapo vanhu vazhinji vose vakaramba vanyerere, vakaterera vana Bharnabhasi naPauro vachirondedzera zviratidzo nezvishamiso, zvakaitwa naMwari navo pakati pavahedheni.
15:13b.ACT.015.013 Zvino vakati vanyarara, Jakobho akapindura, akati: Varume, hama, nditererei.
15:14b.ACT.015.014 Simeoni wakarondedzera mutangire waMwari kumutsa vahedheni, kuti atore kwavari vanhu vezita rake.
15:15b.ACT.015.015 Namashoko avaporofita anobvumira izvozvi; sezvazvakanyorwa zvichinzi:
15:16b.ACT.015.016 Shure kwaizvozvi ndichadzoka, Ndivake tabernakeri yaDhavhidhi, yakawa;Ndichavaka zve matongo ayo, Ndichiimutsa;
15:17b.ACT.015.017 Ndizvo zvinotaura Ishe, Navahedheni vose vakadanwa nezita rangu,
15:18b.ACT.015.018 Mabasa ake ose kubva pakuvamba kwenyika anozikanwa kunaMwari.
15:19b.ACT.015.019 Naizvozvi ini ndinoti, ngatirege kugumbusa avo pakati pavahedheni vakatendevukira kunaMwari;
15:20b.ACT.015.020 asi tivanyorere kuti varege zvakashatiswa nezvifananidzo, novupombwe, ne zvakadzipwa, neropa.
15:21b.ACT.015.021 Nokuti Mosesi kubva pamarudzi ekare, waiva navanomuparidza paguta rimwe nerimwe, achirabwa mumasinagoge sabata rimwe nerimwe.
15:22b.ACT.015.022 Ipapo vaapostora, navakuru, nekereke yose, vakati zvakanaka kuti vasanangure varume pakati pavo, vavatumire Antiokia pamwe chete naPauro naBharnabhasi, naSirasi, vakuru pakati pehama.
15:23b.ACT.015.023 Vakanyora mwadhi, vakaituma navo, yaiti: Vaapostora navakuru kuhama, dzokuvahedheni paAntiokia, napaSiria, napaKirikia; Mufaro!
15:24b.ACT.015.024 Zvatakanzwa, kuti vamwe vakabva kwatiri, vatisina kuraira, vakakukanganisai namashoko, vachidziyanisa mweya yenyu vachiti munofanira kudzingiswa nokuchengeta murairo.
15:25b.ACT.015.025 takati nomwoyo mumwe zvakanaka kuti tisanangure varume, tivatumire kwamuri, pamwe chete naBharnabhasi naPauro, vadikanwa vedu;
15:26b.ACT.015.026 vanhu vakazvidza vupenyu bwavo nokuda kwezita raShe wedu Jesu Kristu.
15:27b.ACT.015.027 Zvino tatuma Judhasi naSirasi, ivo vanozokuvudzai vamene izvozvi nomuromo.
15:28b.ACT.015.028 Nokuti Mweya Mutsvene nesu takati zvakanaka, kuti tirege kukutakudzai mutoro mukuru kunezvinhu izvi zvakafanira,
15:29b.ACT.015.029 zvinoti: Regai zvakabayirwa zvifananidzo, neropa, nezvakadzipwa, novupombwe; kana mukazvidzora pazviri, muchaita zvakanaka. Sarai zvakanaka.
15:30b.ACT.015.030 Zvino vakati vaendiswa, vakaburukira Antiokia; vakavunganidza vanhu vazhinji,vakavapa mwadhi.
15:31b.ACT.015.031 Ivo vakati vairava, vakafara zvikuru pamusoro pokuvaraidzwa.
15:32b.ACT.015.032 Judhasi naSirasi, vaiva vaporofita vamene, vakavaraidza hama namashoko mazhinji, nokuvasimbisa.
15:33b.ACT.015.033 Vakati vagarako nguva, vakaendiswa nehama nomufaro, vakaenda kunavakanga vavatuma.
15:34b.ACT.015.034 [Kunyange zvakadaro Sirasi wakavona zvakanaka kugarapo.]
15:35b.ACT.015.035 Pauro naBaranabasi vakagara Antiokia, vachidzidzisa nokuparidza shoko raShe, navamwe vazhinji vo. Pauro naBharnabhasi vanoparadzana. Rwendo rwechipiri rwaPauro.
15:36b.ACT.015.036 Zvino mamwe mazuva akati apfuvura, Pauro akati kunaBharnabhasi: Ngatidzoke zve tindoshanyira hama muguta rimwe nerimwe matakaparidza shoko raShe, tivone kuti vakadini.
15:37b.ACT.015.037 Zvino Bharnabhasi wakanga achida kutora Johane vo, wainzi Marko;
15:38b.ACT.015.038 asi Pauro wakati hazvina kunaka kumutora iye, wakambovasiya paPamfiria, akasaenda navo kubasa.
15:39b.ACT.015.039 Ipapo kupesana kukavapo, nokudaro vakaparadzana, Bharnabhasi akatora Marko, akaenda Kupro nechikepe;
15:40b.ACT.015.040 asi Pauro wakasanangura Sirasi; akenda, akaiswa nehama panyasha dzaShe;
15:41b.ACT.015.041 akagura neSiria neKirikia, achisimbisa kereke.
16
16:1b.ACT.016.001 Akasvika vo paDerbe neRistra. Zvino ipapo paiva nomumwe mudzidzi, wainzi Timotio, mwanakomana womukadzi mutendi, waiva muJudha; asi baba vake vaiva muGiriki.
16:2b.ACT.016.002 Iye waipupurirwa zvakanaka nehama dzapaRistra neIkonio.
16:3b.ACT.016.003 Pauro akada kuti aende naye, akamutora, akamudzingisa nokuda kwavaJudha vaiva kunzvimbo idzo; nokuti vose vakanga vachiziva kuti baba vake muGiriki.
16:4b.ACT.016.004 Vakafamba namaguta, vakavapa zvirevo zvakatemwa navaapostora navakuru vapaJerusarema, kuti vazvichengete.
16:5b.ACT.016.005 Naizvozvo kereke dzakasimbiswa pakutenda, dzikawanda pakuverengwa kwadzo zuva rimwe nerimwe.
16:6b.ACT.016.006 Vakagura nenyika yeFrigia neyeGaratia, vambodziviswa noMweya Mutsvene kuparidza shoko paAsia.
16:7b.ACT.016.007 Zvino vakati vasvika pakatarisana neMisia, vakaidza kuenda Bitinia, asi Mweya haana kuvatendera.
16:8b.ACT.016.008 Vakati vapfuvura Misia, vakaburukira Troa.
16:9b.ACT.016.009 Chiratidzo chikavonekwa naPauro vusiku; murume weMakedhonia wakanga amire, akakumbira zvikuru kwaari, achiti: Yambukira Makedhonia, utibatsire.
16:10b.ACT.016.010 Zvino wakati avona chiratidzo, pakarepo tikatsvaka kuenda Makedhonia, tichiti, Mwari watidana kuti tindovaparidzira Evhangeri. Pauro naSirasi paFiripi
16:11b.ACT.016.011 Naizvozvo takabva Troa nechikepe, tikaruramira Samotrake; fume mangwana tikasvika Neapori;
16:12b.ACT.016.012 tikabvapo, tikaenda Firipi, guta guru renyika yeMakedhonia, raiva koroni yeRoma; tikagara mamwe mazuva muguta iro
16:13b.ACT.016.013 Nezuva resabata tikabuda kunze kwesuvo kurwizi, pataiti vanenge vanonyengeterapo; tikagara pasi, tikaparidzira vakadzi vakanga vavunganapo.
16:14b.ACT.016.014 Zvino mumwe mukadzi, wainzi Ridia, mutengesi wenguvo tsvuku, womusha weTiatira, wainamata Mwari, akatinzwa; Ishe akazarura moyo wake, kuti aterere zvaitaurwa naPauro.
16:15b.ACT.016.015 Wakati abhabhatidzwa, iye naveimba yake, akakumbira zvikuru; achiti: Kana muchiti ndakatenda kunaShe, pindai mumba mangu mugare. Akatitendisa.
16:16b.ACT.016.016 Zvino takati tichipinda panzvimbo yokunyengetera, tikasongana nomumwe musikana waiva nomweya wokuvuka, waiwanira vatenzi vake mari zhinji nokuvuka kwake.
16:17b.ACT.016.017 Iye akatevera Pauro nesu, akadanidzira achiti: Vanhu ava varanda vaMwari Wokumusoro-soro, vanokuparidzirai nzira yokuponeswa nayo.
16:18b.ACT.016.018 Akaita izvozvo mazuva mazhinji. Zvino Pauro akafa neshungu, akatendevuka, akati kumweya: Ndinokuraira muzita raJesu Kristu kuti ubude kwaari. Ukabuda nenguva iyeyo.
16:19b.ACT.016.019 Zvino vatenzi vake vakati vachivona kuti tariro yokufumiswa kwavo yaenda, vakabata Pauro naSirasi, vakavakakatira, kudare pamberi pavabati,
16:20b.ACT.016.020 vakaenda navo kuvatongi, vakati: Vanhu ava vaJudha, vanopesanisa guta redu,
16:21b.ACT.016.021 vachiparidza tsika dzatisinakutenderwa kugamuchira, kana kuita, isu vaRoma.
16:22b.ACT.016.022 Ipapo vanhu vazhinji vakavamukira vose, vatongi vakava bvarurira nguvo dzavo, vakaraira kuti varobwe neshamhu.
16:23b.ACT.016.023 Zvino vakati vavarova zvikuru, vakavaisa mutorongo, vakaraira murindi wetorongo kuti ava chengete kwazvo.
16:24b.ACT.016.024 Iye akati arairwa kudaro, akavaisa mutorongo yomukati, akasunga makumbo avo mumatanda.
16:25b.ACT.016.025 Zvino panenge pakati povusiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera nokuimbira Mwari nziyo; vakanga vakasungwa vakavaterera.
16:26b.ACT.016.026 Pakarepo kudengenyeka kwenyika kukuru kukavapo, naizvozvo nheyo dzeimba dzikazununguswa; pakarepo mikova yose yeimba ikazarurwa, nemisungo yavose ikasununguka.
16:27b.ACT.016.027 Ipapo murindi wetorongo akapepuka, ndokuvona mikova yetorongo yakazaruka, akavhomora munondo wake, akada kuzvivuraya, achiti vasungwa vatiza.
16:28b.ACT.016.028 Ipapo Pauro akadanidzira nenzwi guru, akati: Usazvikuvadza, nokuti tiri muno tose.
16:29b.ACT.016.029 Zvino wakati akumbira mwenje, akamhanyiramo, ndokuwira pasi pamberi paPauro naSirasi, a chibvunda;
16:30b.ACT.016.030 akavabudisira kunze, akati: Vatenzi, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?
16:31b.ACT.016.031 Vakati: Tenda kunaShe Jesu Kristu, ugoponeswa, iwe nemhuri yako.
16:32b.ACT.016.032 Vakaparidza shoko raMwari kwaari navose vaiva mumba make.
16:33b.ACT.016.033 Akavatora nenguva iyeyo yovusiku, akakupa mavanga avo, ndokubhabhatidzwa pakarepo, iye navose vake.
16:34b.ACT.016.034 Akaenda navo mumba make, ndokuisa zvokudya pamberi pavo, akafara zvikuru, iye nemhuri yake yose, achitenda kunaMwari.
16:35b.ACT.016.035 Zvino kwakati kwaedza, vatongi vakatuma mapurisa, vachiti: Sunungurai vanhu vaya.
16:36b.ACT.016.036 Murindi wetorongo akavudza Pauro mashoko iwayo, achiti: Vatongi vatuma shoko kuti musunungurwe; naizvozvo budai henyu zvino, muende norugare.
16:37b.ACT.016.037 Asi Pauro wakati kwavari: Vakatirova pachena, isu vanhu vaRoma tisina kutongwa, vakatiisa mutorongo; zvino vodokutibudisa chinyararire here? Haiwa, kwete! Ngavavuye vamene vatibudise.
16:38b.ACT.016.038 Mupurisa akavudza vatongi mashoko iwayo; vakatya vachinzwa kuti vaRoma;
16:39b.ACT.016.039 vakasvika, vakakumbira zvikuru kwavari; vakavabudisa, ndokukumbira kuti vabve muguta ravo.
16:40b.ACT.016.040 Ipapo vakabuda mutorongo, vakapinda mumba maRidia; vakavona hama, vakavanyaradza, ndokuenda.
17
17:1b.ACT.017.001 Zvino vakati vagura neAmfipori neAporonia, vakasvika paTesaronika paiva nesinagoge ravaJudha.
17:2b.ACT.017.002 Zvino Pauro, sezvaaisiita, akapinda kwavari; akataurirana navo zvaMagwaro masabata matatu,
17:3b.ACT.017.003 achivazarurira nokuvazivisa, kuti Kristu waifanira kutambudzika nokumuka kuvakafa, vuye kuti Jesu uyu, wandinokuparidzirai, ndiye Kristu.
17:4b.ACT.017.004 Vamwe vavo vakatendiswa, vakatevera Pauro naSirasi, navazhinji vavaGiriki, vainamata Mwari, navakadzi vaikudzwa vazhinji.
17:5b.ACT.017.005 Asi vaJudha vakanga vasingatendi vakaita godo, vakatora vamwe varume vakaipa, dzaiva simbe, vakavunganidza vanhu vazhinji, vakakanganisa guta; vakawira imba yaJasoni, vachida kuvabudisira kuvanhu.
17:6b.ACT.017.006 Vakati vachivashaiwa, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama pamberi pavabati veguta, vakadana, vachiti: Ava vakakanganisa nyika yose, vakasvika napano vo,
17:7b.ACT.017.007 Jasoni akavagamuchira; ava vose vanoita zvinopesana nezvirevo zvaKesari, vachiti, mumwe mambo uriko, unonzi Jesu.
17:8b.ACT.017.008 Vakapesanisa vanhu navabati veguta, vachinzwa izvozvo.
17:9b.ACT.017.009 Zvino, vakati vatora rubatso kunaJasoni navamwe, vakavarega. Pauro naSirasi paBerea.
17:10b.ACT.017.010 Pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi Berea vusiku. Ivo vakati vachisvikapo, vakapinda musinagoge ravaJudha.
17:11b.ACT.017.011 Ava vakanga vachinzwisisa kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nomwoyo wose, vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvozvo zviri izvo.
17:12b.ACT.017.012 Naizvozvo vazhinji vavo vakatenda, navakadzi vaikudzwa vavaGiriki, navarume vazhinji.
17:13b.ACT.017.013 Asi vaJudha veTesaronika, vakati vachinzwa kuti shoko raMwari roparidzwa naPauro paBerea, vakasvika vo ipapo, vakamutsa nokupesanisa vazhinji.
17:14b.ACT.017.014 Ipapo hama dzakatuma Pauro pakarepo kusvikira kugungwa, asi Sirasi naTimotio vakasarapo.
17:15b.ACT.017.015 Zvino avo vakaperekedza Pauro, vakamusvitsa Atene; vakati varairwa kuvudza Sirasi naTimotio, kuti vakurumidze kuvuya kwaari, vakabva. Pauro paAtene.
17:16b.ACT.017.016 Zvino Pauro, achakavagarira paAtene, akanzwa shungu pamoyo, achivona kuti guta rizere nezvifananidzo.
17:17b.ACT.017.017 Naizvozvo akataurirana musinagoge navaJudha, navainamata Mwari, napadare zuva rimwe nerimwe, navaakasongana navo.
17:18b.ACT.017.018 Zvino vamwe vakachenjera vavaEpikuro navaStoiko, vakaita nharo naye; vamwe vakati: Ko uyu mutauri wezvisinamaturo unoda kureveiko? Vamwe zve vakati: Unenge muparidzi wavamwari vasingazikanwi; nokuti wakavaparidzira Jesu nokumuka kwavakafa.
17:19b.ACT.017.019 ipapo vakamubata, vakamuisa paAreopago, vakati: Ngatinzwe vo kuti dzidziso iyi itsva, inotaurwa newe, ndeyeiko?
17:20b.ACT.017.020 Nokuti unoreva zvimwe zvinoshamisa panzeve dzedu; naizvozvo tinoda kunzwa, kuti zvinhu izvi ndezveiko?
17:21b.ACT.017.021 (Zvino vaAtene vose, navatorwa vaigarapo, vaingofarira chinhu chimwe chete, kutaura kana kunzwa chinhu chitsva.)
17:22b.ACT.017.022 Zvino Pauro, amire pakati peAreopago, akati: Imi varume veAtene, pazvinhu zvose ndinovona kuti munonamata zvikuru.
17:23b.ACT.017.023 Nokuti ndakati ndichipfuvura, ndichicherekedza zvamunonamata, ndakawana vo aritari yakanyorwa izvi: KUNAMWARI USINGAZIKANWI. Zvino chamunonamata musingachizivi, ndicho chandinokuparidzirai.
17:24b.ACT.017.024 Mwari wakasika nyika nezvose zviri mairi, iye Tenzi wedenga napasi, haagari mutembere dzakaitwa namavoko.
17:25b.ACT.017.025 Haashumirwi namavoko avanhu, saachinge achishaiwa chinhu, zvaari iye amene unopa vose vupenyu, nokufema, nezvose;
17:26b.ACT.017.026 wakaita neropa rimwe marudzi ose avanhu, achibva kunomumwe chete, kuti agare pose panyika; ambotara nguva dzavakatemerwa, nemiganhu yukugara kwavo;
17:27b.ACT.017.027 kuti vatsvake Mwari, zvimwe vamutsvangadzire vamuwane, kunyange asiri kure nomumwe nomumwe wedu.
17:28b.ACT.017.028 Nokuti maari tinovupenyu, tinofamba, tiripo; sezvavakareva vamwe vanyori venziyo vokwenyu, vachiti: Nokuti tiri rudzi rwake vo,
17:29b.ACT.017.029 Zvatiri rudzi rwaMwari, hatifaniri kufunga kuti vuMwari bwakafanana nendarama, kana sirivheri, kana ibwe, rakavezwa novumhizha kana kuchenjera kwomunhu.
17:30b.ACT.017.030 Naizvozvo Mwari wakarega hake kurangarira nguva dzokusaziva; asi zvino unoraira vanhu vose kwose-kwose kuti vatendevuke.
17:31b.ACT.017.031 Nokuti wakatara zuva, raachatonga nyika naro nokururama, nomurume waakagadza; akasimbisa shoko iro kunavose, pakumumutsa kuvakafa.
17:32b.ACT.017.032 Zvino vakati vachinzwa zvokumuka kwavakafa, vamwe vakaseka, asi vamwe vakati: Tichazokunzwa zve pamusoro paizvozvi,
17:33b.ACT.017.033 Naizvozvo Pauro akabuda pakati pavo,
17:34b.ACT.017.034 Asi vamwe varume vakamunamatira, vakatenda; pakati pavo kwaiva naDhionisio, muAreopago, nomukadzi wainzi Dhamari, navamwe pamwe chete navo.
18
18:1b.ACT.018.001 Shure kwaizvozvo, Pauro wakabva Atene, akasvika Korinte;
18:2b.ACT.018.002 akawana mumwe muJudha, wainzi Akwira, chizvagwa chePonto, achangobva Itaria, naPrisira mukadzi wake; (nokuti Kraudio wakanga araira kuti vaJudha vose vabve Roma); akaenda kwavari;
18:3b.ACT.018.003 zvino zvaakanga anebasa rimwe navo, akagara navo vachibata; nokuti basa ravo raiva rokuita matende.
18:4b.ACT.018.004 Sabata rimwe nerimwe akataurirana navo musinagoge, akaidza kugombedzera vaJudha navaGiriki.
18:5b.ACT.018.005 Zvino Sirasi naTimotio vakati va chizoburuka vachibva Makedhonia, Pauro akamanikidzwa neshoko, achipupurira vaJudha kwazvo kuti Jesu ndiye Kristu.
18:6b.ACT.018.006 Zvino vakati vachimudzivisa, nokumutuka, akazuza nguvo dzake, akati kwavari: Ropa renyu ngarive pamusoro penyu; ini ndakachena, kubva zvino ndichaenda kuvahedheni.
18:7b.ACT.018.007 Akabvapo, akapinda mumba momumwe, wainzi Tito Justo, wainamata Mwari, imba yake yaiva pedo nesinagoge.
18:8b.ACT.018.008 NaKrispo, mukuru wesinagoge. Akatenda kunaShe naveimba yake yose; navazhinji veKorinte vakanzwa, vakatenda, vakabhabhatidzwa.
18:9b.ACT.018.009 Zvino Ishe akati kunaPauro vusiku nechiratidzo: Usatya hako, asi taura, usanyarara;
18:10b.ACT.018.010 nokuti ini ndinewe; hapanomunhu ungakumukira akakuitira zvakaipa, nokuti ndinavanhu vazhinji muguta rino.
18:11b.ACT.018.011 Akagarapo gore rimwe nemwedzi mitanhatu, achidzidzisa shoko raMwari pakati pavo.
18:12b.ACT.018.012 Zvino Gario wakati ava mubati weAkaya, vaJudha vakamukira Pauro nomwoyo mumwe, vakavuya naye pachigaro chokutonga,
18:13b.ACT.018.013 vachiti: Uyu unogombedzera vanhu kuti vanamate Mwari nenzira isingatenderwi nomurairo.
18:14b.ACT.018.014 Zvino Pauro wakati odakushamisa muromo wake, Gario akati kuvaJudha: Dai yaiva mhosva yezvisakarurama, kana kutadza kwakaipa, ndaifanira kuva nomoyo murefu kwamuri, imi vaJudha
18:15b.ACT.018.015 Asi kana dziri nharo pamusoro pamashoko namazita nomurairo wenyu, tambai henyu imi mhosva iyo; ini handidi kuva mutongi waizvozvo.
18:16b.ACT.018.016 Akavadzinga pachigaro chokutonga.
18:17b.ACT.018.017 Zvino vose vakabata Sosteni, mukuru wesinagoge, vakamurova pamberi pechigaro chokutonga; asi Gario haana kuva nehanya nechinhu chimwe chaizvozvo.
18:18b.ACT.018.018 Pauro wakati agarapo mazuva mazhinji, akawonekana nehama, akabvapo, akaenda Siria nechikepe, anaPrisira naAkwira, avevura musoro wake paKenkrea, nokuti wakanga apika.
18:19b.ACT.018.019 Vakasvika Efeso, akavasiyapo; asi iye amene wakapinda musinagoge, akataurirana navaJudha.
18:20b.ACT.018.020 Zvino vakati vachikumbira kuti agare navo nguva refu, haana kutenda;
18:21b.ACT.018.021 akawonekana navo, achiti: Ndinofanira chose kuchengeta mutambo uyu unoitwa muJerusarema. Ndichadzokera zve kwamuri, kana Mwari achida, akabva paEfeso nechikepe.
18:22b.ACT.018.022 Wakati asvika Kesaria, akakwira kundokwazisa kereke, akaburukira Antiokia. Rwendo rwechitatu rwaPauro. Aporo paEfeso.
18:23b.ACT.018.023 Wakati agarapo nguva, akabva, akagura nenyika dzeGaratia neFrigia achidzitevedzanisa, achisimbisa vadzidzi vose.
18:24b.ACT.018.024 Zvino mumwe muJudha wainzi Aporo, worudzi rwapaArekasandira, murume wakanga akadzidza zvikuru, wakasvika Efeso; wakanga anesimba pamagwaro.
18:25b.ACT.018.025 Uyu wakanga adzidziswa nzira yaShe, akashingaira nomweya, achitaura nokunatsodzidzisa zvaJesu, achiziva rubhabhatidzo rwaJohane bedzi.
18:26b.ACT.018.026 Iye akatanga kutaura musinagoge asingatyi. Zvino Prisira naAkwira vakati vamunzwa, vakamutora, vakanatsomududzira nzira yaMwari.
18:27b.ACT.018.027 Zvino wakati achida kuyambukira Akaya, hama dzikamusimbisa, vakanyorera vadzidzi kuti vamugamuchire. Zvino wakati asvika, akabatsira zvikuru ivo vakatenda nenyasha.
18:28b.ACT.018.028 Nokuti wakakunda vaJudha nesimba pachena, achiratidza naMagwaro, kuti Jesu ndiyeKristu.
19
19:1b.ACT.019.001 Zvino Aporo achiri paKorinte, Pauro wakati agura namativi enyika okumusoro, akasvika Efeso, akawana vamwe vadzidzi,
19:2b.ACT.019.002 akati kwavari: Makagamuchira Mweya Mutsvene pakutenda kwenyu here? vakati kwaari kwete, hatina kutongonzwa kuti Mweya Mutsvene uripo.
19:3b.ACT.019.003 Akati: ko makabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwupiko? Vakati: Norubhabhatidzo rwaJohane.
19:4b.ACT.019.004 Zvino Pauro akati: Johane wakabhabhatidza norubhabhatidzo rwokutendevuka, achivudza vanhu kuti vatende kunaiye unozovuya shure kwake, iye Jesu Kristu.
19:5b.ACT.019.005 Vakati vazvinzwa izvozvo, vakabhabhatidzwa muzita raShe Jesu,
19:6b.ACT.019.006 Zvino Pauro wakati aisa mavoko ake pamusoro pavo, Mweya Mutsvene akavuya pamusoro pavo, vakataura nendimi, vakaporofita.
19:7b.ACT.019.007 Ivavo vose vaiva varume vanenge gumi navaviri.
19:8b.ACT.019.008 Zvino wakapinda musinagoge, akataura asingatyi mwedzi mitatu, achitaurirana navo, achivagombedzera namashoko ovushe bwaMwari.
19:9b.ACT.019.009 Asi vamwe vakati vachiwomesa moyo, vasingatereri, vachizvidza Nzira iyo pamberi pavazhinji akabva kwavari, akataura navadzidzi, akataurirana navo zuva rimwe nerimwe muchikoro chaTirano.
19:10b.ACT.019.010 Izvozvo zvikaitwa makore maviri; nokudaro vose vakanga vagere paAsia vakanzwa shoko raShe Jesu, vaJudha navaGiriki.
19:11b.ACT.019.011 NaMwari akaita zvishamiso nemavoko aPauro,
19:12b.ACT.019.012 nokudaro micheka nenguvo, zvaibva pamuviri wake, zvaiiswa kuvarwere, hosha dzikabva kwavari, nemweya yakaipa ikabuda.
19:13b.ACT.019.013 Zvino vamwe vaJudha, vavuki, vaipota-pota, vakaidza kudana zita raShe Jesu pamusoro pavaiva nemweya yakaipa, vachiti: Ndinokupikirai naJesu unoparidzwa naPauro.
19:14b.ACT.019.014 Vaiva vanakomana vanomwe vomumwe muJudha, wainzi Skevha, muPirisita mukuru, vaiita izvozvo.
19:15b.ACT.019.015 Mweya wakaipa ukapindura, ukati kwavari: Jesu ndinomuziva, naPauro ndinomuziva, asi imi ndimi vananiko?
19:16b.ACT.019.016 Ipapo munhu waiva nomweya wakaipa akavamukira simba, akavakurira vose vari vaviri, akavakunda; nokudaro vakatiza mumba imomo, vasinenguvo, vakuvadzwa.
19:17b.ACT.019.017 Izvozvo zvakazikanwa navose vaJudha navaGiriki, vakanga vagere Efeso vakatya vose, zita raShe Jesu rikakudzwa.
19:18b.ACT.019.018 Zvino vazhinji vavakanga vatenda vakavuya, vakazvirevurura, nokurondedzera mabasa avo.
19:19b.ACT.019.019 Navamwe vazhinji vaiita zvovunanga, vakavunganidza bhuku dzavo, vakadzipisa pamberi pavose; vakaverenga mutengo wadzo, vakawana kuti waiva masirivheri anezvuru zvinamakumi mashanu.*
19:20b.ACT.019.020 Naizvozvo shoko raShe rikakura nesimba, rikakunda.
19:21b.ACT.019.021 Izvozvo zvakati zvapedziswa, Pauro akafunga mumoyo make kuenda Jerusarema, kana ambogura napaMakedhonia neAkaya, achiti: Kana ndamboenda ikoko, ndinofanira kundovona Roma vo.
19:22b.ACT.019.022 Zvino akatumira Makedhonia vaviri vavaimushumira, vanaTimoito naErasto, iye amene akagara Asia nguva duku. Bope rakamutswa naDhemetrio.
19:23b.ACT.019.023 Zvino nenguva iyo bope guru rikavapo pamusoro peNzira iyo.
19:24b.ACT.019.024 Nokuti mumwe, wainzi Dhemetrio, mupfuri wesirvheri, waiita zvitembere zvaDhiana zvesirvheri, waifumisa zvikuru mhizha dzapo.
19:25b.ACT.019.025 Akavavunganidza ivo pamwe chete navamwe vabati vezvakadaro, akati: Varume, munoziva kuti nebasa iri tinowana fuma yedu.
19:26b.ACT.019.026 Zvino munovona, nokunzwa, kuti Pauro uyu wakatendisa nokutsausa vazhinji, pasati pari paEfeso bedzi, asi panenge paAsia yose, achiti, zvakaitwa namavoko havazi vamwari.
19:27b.ACT.019.027 Zvino njodzi ndiyo kuti habwuzi vumhizha bwedu bedzi bwungazvidzwa, asi kuti tembere yamwarikadzi mukuru Dhiana ichashovorwa, naiye amene, unonamatwa paAsia yose nenyika yose, abviswe pavukuru bwake.
19:28b.ACT.019.028 Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakafa neshungu kwazvo, vakadanidzira, vachiti: Dhiana wavaEfeso mukuru!
19:29b.ACT.019.029 Guta rikakanganiswa kwazvo; vakamhanyira nomoyo mumwe panzvimbo paitambwa, vabata Gayo naAristarko, varume veMakedhonia, vaiperekedza Pauro.
19:30b.ACT.019.030 Zvino Pauro akada kupinda kuvanhu, vadzidzi vakasamutendera.
19:31b.ACT.019.031 Navamwe vakuru veAsia, vaiva shamwari dzake, vakatuma shoko kwaari, vachikumbira zvikuru kwaari kuti arege kupinda panzvimbo paitambwa.
19:32b.ACT.019.032 Zvino vamwe vakadanidzira zvimwe, vamwe zvimwe zve; nokuti vungano yakanga yanyonganiswa, vazhinji vasingazivi zvavakavunganira.
19:33b.ACT.019.033 Ipapo vakabudisa Areksandro mukati mavanhu vazhinji, vaJudha vachimusundira mberi; zvino Areksandro akaninira noruvoko, achida kuzvidavirira pamberi pavanhu.
19:34b.ACT.019.034 Ipapo vakati vachivona kuti iye muJudha, inzwi rimwe rikamuka kuna vose, vakadanidzira nguva dzinenge mbiri, vachiti: Dhiana wavaEfeso mukuru!
19:35b.ACT.019.035 Zvino munyori weguta wakanyaradza vanhu, akati: Varume veEfeso, munhu ndoupiko usingazivi, kuti guta ravaEfeso ndiro mushumiri wamwari kadzi mukuru Dhiana nowechifananidzo chakawa kubva kunaJupiteri.
19:36b.ACT.019.036 Zvazvisingagoni kurambwa izvozvi, maifanira kunyarara musingaiti chinhu nokusarangarira kwazvo.
19:37b.ACT.019.037 Nokuti mavuya navarume ava, vasati vari mbavha dzetembere kana vamhuri vamwarikadzi wedu.
19:38b.ACT.019.038 Zvino kana Dhemetrio nedzimwe mhizha dzinaye vanemhosva nomunhu, misi yokutonga iripo, navatongi varipo; ngavakwirirane havo.
19:39b.ACT.019.039 Asi kana muchitsvaka chimwe chinhu pamusoro pedzimwe mhosva, zvingatemwa pavungano yakafanira.
19:40b.ACT.019.040 Nokuti njodzi ndiyo kuti tingakwirirwa pamsoro pebope ranhasi, zvakusinemhosva; kana chiri chinhu ichi hatingagoni kupindura pamsoro pemhere-mhere iyi.
19:41b.ACT.019.041 Wakati ataura izvozvo, akaendisa vungano.
20
20:1b.ACT.020.001 Bopoto rakati ranyarara, Pauro akadana vadzidzi, akavaraira, ndokuwonekana navo, akabva achida kuenda Makedhonia.
20:2b.ACT.020.002 Akagura namativi enyika idzo, akaraira vatendi namashoko mazhinji, ndokusvika panyika yavaGiriki.
20:3b.ACT.020.003 Akati agara mwedzi mitatu, rangano yakaipa ikaitwa navaJudha pamusoro pake, oda kuenda Siria nechikepe, akati ndodzokera napaMakedhonia.
20:4b.ACT.020.004 Akaperekedzwa naSopatro weBerea, mwanakomana waPiro; naAristarko naSekundo, veTesaronika; naGayo weDerbe, naTimotio; vuye Tikiko naTrofimo veAsia.
20:5b.ACT.020.005 Ivo vakatungamira, vakatimirira paTroa.
20:6b.ACT.020.006 Isu tikabva Firipi nechikepe mazuva ezvingwa zvisinembiriso apfuvura; tikasvika kwavari paTroa namazuva mashanu; tikagarapo, mazuva manomwe.
20:7b.ACT.020.007 Zvino nomusi wokutanga wevhiki, takavungana kuti timedure chingwa, Pauro akataurirana navo, achida kuenda mangwana; akaramba achiparidza shoko kusvikira pakati povusiku.
20:8b.ACT.020.008 Kwakanga kunemwenje mizhinji muimba yokumusoro matakanga tavungana.
20:9b.ACT.020.009 Zvino pahwindi pakanga pagere rimwe jaya, rainzi Yutiko, rikabatwa nehope kwazvo, zvino Pauro, wakati achingoramba achiparidza, iye akabatwa nehope, akawira pasi, achibva paimba yechitatu yokumusoro, akasimudzwa afa.
20:10b.ACT.020.010 Ipapo Pauro akaburuka, akazviwisira pamusoro pake, akamufungatira, akati: Musaita bopoto, nokuti mweya wake uchiri maari.
20:11b.ACT.020.011 Zvino wakati akwirazve kumusoro, akamedura chingwa, akadya, akataura navo nguva refu kusvikira kuchiedza, ndokuenda.
20:12b.ACT.020.012 Vakavuya nomukomana ari mupenyu, vakanyaradzwa kwazvo.
20:13b.ACT.020.013 Asi isu takatungamira kuchikepe, tikaenda Aso, tichida kutora Pauro ipapo, nokuti wakanga araira saizvozvo, iye achida kufamba namakumbo.
20:14b.ACT.020.014 Takati tasongana naye paAso, tikamutora, tikandosvika Mitirene;
20:15b.ACT.020.015 tikabva ipapo nechikepe, fume mangwana tikasvika pakatarisana neKiyo; fume mangwana tikapfuvura napaSamo; fume mangwana zve tikasvika Mireto.
20:16b.ACT.020.016 Nokuti Pauro wakanga achiti: Ndichapfuvura Efeso nechikepe, kuti arege kunonoka paAsia; nokuti wakanga achikurumidza kuti kana zvichibvira ave Jerusarema nezuva rePentekosta. Pauro unoraira vakuru veEfeso.
20:17b.ACT.020.017 Zvino iye ari paMireto, akatumira Efeso kundodana vakuru vekereke.
20:18b.ACT.020.018 Vakati vasvika kwaari, akati kwavari: Imi munoziva mugarire wangu pakati penyu nguva dzose, kubva pazuva rokutanga randakasvika naro paAsia;
20:19b.ACT.020.019 ndichibatira Ishe nokuzvininipisa zvikuru, nemisodzi, namadambudziko akandiwira nerangano dzakaipa dzavaJudha;
20:20b.ACT.020.020 kuti handina kutya kukuparidzirai zvingakubatsirai nokukudzidzisai pachena padzimba dzose;
20:21b.ACT.020.021 ndichipupurira kwazvo vaJudha navaGiriki, kuti vatendevukire kunaMwari, nokutenda kunaShe wedu Jesu Kristu.
20:22b.ACT.020.022 Zvino tarirai, ndinoenda Jerusarema ndakasungwa pamweya ndisingazivi zvichandiwira ikoko;
20:23b.ACT.020.023 asi kuti Mweya Mutsvene unondipupurira kwazvo muguta rimwe nerimwe, kuti kusungwa nenhamo zvakandigarira.
20:24b.ACT.020.024 Asi hakuna chimwe chezvinhu izvi chinondidzosera shure uye handiverengi kuti upenyu hwangu hunokosha kwandiri kuti ndipedze rwendo rwangu nomufaro nebasa randakagamuchira kuna Ishe Jesu rokupupura kwazvo Evhangeri yenyasha dzaMwari.
20:25b.ACT.020.025 Zvino tarirai, ndinoziva kuti imi mose, vandakafamba pakati penyu, ndichiparidza vushe bwaMwari hamuchazovoni chiso changu.
20:26b.ACT.020.026 Naizvozvo ndinokupupurirai nhasi kuti ndakachena paropa ravanhu vose.
20:27b.ACT.020.027 Nokuti handina kutya kukuparidzirai kuda kwose kwaMwari.
20:28b.ACT.020.028 Zvichenjererei imi, neboka rose ramakaitwa vatariri varo noMweya Mutsene, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake.
20:29b.ACT.020.029 Ini ndinoziva kuti kana ndaenda mapere anoparadza achapinda pakati penyu, asingaregi boka.
20:30b.ACT.020.030 Vuye, napakati penyu pamene pachamuka varume, vachataura zvinopesanisa, kuti vatsause vadzidzi vavatevere.
20:31b.ACT.020.031 Naizvozvo rindai, murangarire kuti makore matatu handina kurega vusiku namasikati kuraira mumwe nomumwe nemisodzi.
20:32b.ACT.020.032 Zvino hama dzangu ndinokuisai kunaShe, neshoko renyasha dzake, iye unesimba rokukuvakisai, nokukupai nhaka pakati pavakaitwa vatsvene vose.
20:33b.ACT.020.033 Handina kuchochora sirvheri, kana ndarama, kana nguvo dzomunhu mumwe.
20:34b.ACT.020.034 Hongu munoziva imi mumene, kuti mavoko awa akabatira kushaiwa kwangu nokwavanhu vandaiva navo.
20:35b.ACT.020.035 Pazvinhu zvose ndakakuratidzai, kuti muchibata muchidai, munofanira kubatsira vasinesimba, nokurangarira mashoko aShe Jesu, sezvaakataura amene achiti: Kupa kunamaropafadzo kupfuvura kugamuchira.
20:36b.ACT.020.036 Wakati ataura izvozvo, akafugama, akanyengetera navo vose.
20:37b.ACT.020.037 Vakachema zvikuru vose; vakawira pamutsipa waPauro, vakawonekana naye nokumusveta,
20:38b.ACT.020.038 vaneshungu kwazvo neshoko raakataura rokuti havachazovoni chiso chake. Ipapo vakamuperekedza kuchikepe.
21
21:1b.ACT.021.001 Zvino takati taparadzana navo, tikabva nechikepe, tikarurama, tikasvika Kose; fume mangwana tikasvika Rode; tikabvapo, tikasvika Patara.
21:2b.ACT.021.002 Takati tawanapo chikepe, chaiyambukira Finikia, tikapinda mukati macho, tikaenda.
21:3b.ACT.021.003 Takati tavona Kupro, tikaisiya kuruboshwe, tichienda Siria, tikasvika Tire; nokuti chikepe chaifanira kututunura mutoro ipapo;
21:4b.ACT.021.004 zvino takati tawanapo vadzidzi, tikagarapo mazuva manomwe; ivo vakati nomweya kunaPauro kuti arege kukwira Jerusarema.
21:5b.ACT.021.005 Zvino takati tapedzapo mazuva tikabva, tikaenda; ivo vose, navakadzi navana, vakatiperekedza kusvikira tabuda paguta; ipapo tikafugama pamhenderekedzo, tikanyengetera.
21:6b.ACT.021.006 Tikawonekana, isu tikaenda kuchikepe, ivo vakadzokera kumusha kwavo.
21:7b.ACT.021.007 Isu takati tapedza rwendo tichibva Tire, tikasvika Toremai, tikakwazisa hama, ndokuswera zuva rimwe navo.
21:8b.ACT.021.008 Fume mangwana isu taiva veboka raPauro tikabvapo, tikasvika Kesaria; ipapo tikapinda mumba maFiripo, Muevhangeri, mumwe wavanomwe, tikagara naye.
21:9b.ACT.021.009 Iye wakanga anavakunda vana, mhandara, vaiporofita.
21:10b.ACT.021.010 Zvino takati tichigarapo mazuva mazhinji, mumwe muporofita, wainzi Akabo, akaburuka achibva Judhea,
21:11b.ACT.021.011 akavuya kwatiri, akatora bhanire raPauro, akazvisunga makumbo namavoko ake, akati: Mweya Mutsvene unoreva kudai: Saizvozvo vaJudha paJerusarema vachasunga murume, mwene webhanire iri, nokumuisa pamavoko avahedheni.
21:12b.ACT.021.012 Takati tichinzwa izvozvo, isu navamwe vaipapo tikakumbira zvikuru kwaari, kuti arege kukwira Jerusarema.
21:13b.ACT.021.013 Ipapo Pauro akapindura, akati; Munoiteiko, muchichema nokuputsa moyo wangu? Nokuti ini handina kuzvigadzirira kusungwa bedzi, asi kunyange kufira zita raShe Jesu paJerusarema.
21:14b.ACT.021.014 Zvino wakati achiramba kukundwa, tikanyarara, tikati: Kuda kwaShe ngakuitwe.
21:15b.ACT.021.015 Mazuva iwayo akati apera, tikarongedza, tikakwira Jerusarema.
21:16b.ACT.021.016 Navamwe vadzidzi veKesaria vakaenda nesu, vakavuya vo nomumwe, wainzi Mnasoni, mudzidzi wakare weKupro, wataindogara naye.
21:17b.ACT.021.017 Zvino takati tichisvika Jerusarema, hama dzikatigamuchira nomufaro.
21:18b.ACT.021.018 Fume mangwana Pauro akapinda nesu kunaJakobho; navakuru vakanga varipo vose.
21:19b.ACT.021.019 Akavakwazisa, ndokuvarondedzera, chimwe nechimwe, zvakaitwa naMwari pakati pavahedheni nebasa rake.
21:20b.ACT.021.020 Ivo vakati vazvinzwa, vakakudza Mwari, vakati kwaari: Hama, unovona kuti zvuru zvingani zvavaJudha vanotenda; vose vanoshingairira murairo;
21:21b.ACT.021.021 zvino vakavudzwa kuti iwe unodzidzisa vaJudha vose vari pakati pavahedheni, kuti varambe Mosesi, uchiti, varege kudzingisa vana vavo, kana kufamba netsika dzomurairo.
21:22b.ACT.021.022 Zvino todiniko? Vachanzwa havo kuti wasvika.
21:23b.ACT.021.023 Naizvozvo ita izvi zvatinotaura kwauri: Tinavarume vana vakazvisunga nokupika;
21:24b.ACT.021.024 uvatore, uzvinatse pamwe chete navo, uvaripire, vagovevura misoro yavo; ipapo vose vachaziva, kuti haazi mashoko ezvokwadi, avakavudzwa pamusoro pako; asi kuti iwe vo unofamba zvakanaka uchichengeta murairo umene.
21:25b.ACT.021.025 Asi kana vari vahedheni vakatenda, takavanyorera kuti vasachengeta zvinhu zvakadai, asi kuti vazvidzore panezvakabayirwa zvifananidzo, neropa nezvakadzipwa novupombwe.
21:26b.ACT.021.026 Ipapo Pauro akatora varume avo, akazvinatsa pamwe chete navo nezuva rakatevera, akapinda mutembere kuti azivise kupera kwamazuva okunatsa, kusvikira mumwe nomumwe abayirwa chibayiro.
21:27b.ACT.021.027 Zvino mazuva manomwe akati opera, vaJudha veAsia vakamuvona mutembere, vakamutsa vanhu vazhinji, vakamubata.
21:28b.ACT.021.028 vakadanidzira, vachiti: Varume vaIsraeri, batsirai! Uyu ndiye munhu unodzidzisa vanhu kwose-kwose zvinopesana navanhu, nomurairo, nenzvimbo ino, vuye zve vakavuya navaGiriki mutembere, akasvibisa nzvimbo ino tsvene.
21:29b.ACT.021.029 Nokuti vakanga vavona Trofimo muEfeso, anaye muguta, vakati zvimwe Pauro wapinda naye mutembere.
21:30b.ACT.021.030 Ipapo guta rose rakanyonganiswa, vanhu vakamhanyira pamwe chete; vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetembere, mikova ikazarirwa pakarepo.
21:31b.ACT.021.031 Zvino vakati vachitsvaka kumuvuraya, shoko rikakwira kumukuru wechuru chamazana, kuti Jerusarema rose ranyonganiswa.
21:32b.ACT.021.032 Iye akatora pakarepo varwi navakuru vezana, akaburuka achimhanyira kwavari: ivo vakati vachivona mukuru wechuru chemazana navarwi, vakarega kurova Pauro.
21:33b.ACT.021.033 Zvino mukuru wechuru chemazana akaswedera, akamubata, ndokuraira kuti asungwe namaketani maviri; akabvunza kuti ndiani, vuye kuti waiteiko.
21:34b.ACT.021.034 Zvino vamwe pakati pavazhinji vakadanidzira chimwe chinhu, vamwe chimwe chinhu; zvino iye asingagoni kuziva zvokwadi nokuda kwebopoto, akaraira kuti vamuise kuimba yavarwi.
21:35b.ACT.021.035 Wakati achisvika pazvikwiriso, akaita sokutakurwa navarwi, nokuda kwesimba ravanhu vazhinji;
21:36b.ACT.021.036 nokuti vanhu vazhinji vakatevera, vachidanidzira, vachiti: Mubvisei!
21:37b.ACT.021.037 Zvino oda kupinzwa muimba yavarwi, Pauro akati kumukuru wechuru chamazana; Ko ndingataura nemi here? Iye akati unoziva chiGiriki here?
21:38b.ACT.021.038 Ko hauzi uya muIjipiti, wakadeya kukanganisa vanhu panguva yapfuvura, akaenda navavurayi vanezvuru zvina kurenje here?
21:39b.ACT.021.039 Ipapo Pauro akati: Ini ndiri muJudha weTarso muKirikia, munhu weguta rakakurumbira. Ndinokumbira kuti munditendere nditaure navanhu.
21:40b.ACT.021.040 Zvino wakati amutendera, Pauro akamira pazvikwiriso, akaninira vanhu noruvoko rwake; zvino vakati vanyarara kwazvo, akataura norurimi rwechiHebheru, achiti:
22
22:1b.ACT.022.001 Varume, hama, namadzibaba, inzwai kuzvidavirira kwangu pamberi penyu zvino.
22:2b.ACT.022.002 Ivo vakati vachinzwa, kuti wotaura navo norurimi rwechiHebheru, vakanyanya kunyarara. Iye akati:
22:3b.ACT.022.003 Ini ndiri muJudha, ndakaberekwa paTarso muKirikia, asi ndakarerwa muguta rino, pamakumbo aGamarieri, ndikadzidziswa netsika kwadzo dzomurairo wamadzibaba edu, ndichishingairira Mwari, semi mose nhasi;
22:4b.ACT.022.004 ndikatambudza veNzira Iyi kusvikira pakuvuraya, ndichisunga varume navakadzi nokuvaisa mutorongo.,
22:5b.ACT.022.005 muPirisita mukuru sezaangandipupurira vo namakurukota ose; ndikapiwa mwadhi navo kuhama, ndikaenda Dhamaseko kuti ndiise Jerusarema avo vaigarako, vakasungwa, kuti varobwe.
22:6b.ACT.022.006 Zvino ndakati ndichifamba, ndoswedera Dhamaseko, anenge masikati, pakarepo ndikapenyerwa kwose nechiedza chikuru, chaibva kudenga.
22:7b.ACT.022.007 Ndikawira pasi, ndikanzwa inzwi richiti kwandiri: Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?
22:8b.ACT.022.008 Ndikapindura, ndikati: Ndimi aniko Ishe? Akati kwandiri: Ndini Jesu weNazareta, waunotambudza.
22:9b.ACT.022.009 Zvino vaiva neni vakavona chiedza, vakatya asi havana kunzwa inzwi rowakataura neni.
22:10b.ACT.022.010 Ndikati: Ndodiniko, Ishe? Ishe akati kwandiri: Simuka, uende Dhamaseko; apo uchavudzwa zvose zvakatarwa kuti uzviite.
22:11b.ACT.022.011 Zvino zvandakanga ndisingagoni kuvona nokupenya kwechiedza icho, ndikasesedzwa noruvoko navaiva neni, ndikasvika Dhamaseko.
22:12b.ACT.022.012 Zvino mumwe murume, wainzi Ananiasi, munhu wainamata Mwari sezvinoreva murairo, waipupurirwa zvakanaka navaJudha vose vakanga vagerepo,
22:13b.ACT.022.013 akavuya kwandiri akamira, akati kwandiri: Sauro, hama, chivona! Nenguva iyo ndikamuvona.
22:14b.ACT.022.014 Iye akati: Mwari wamadzibaba edu wakakusanangura, kuti uzive kuda kwake, nokumuvona iye wakarurama, nokunzwa inzwi rinobva mumuromo make.
22:15b.ACT.022.015 Nokuti iwe uchava chapupu chake kuvanhu vose chezvawakavona nezvawakanzwa.
22:16b.ACT.022.016 Zvino uchanonokereiko? Simuka, ubhabhatidzwe, usukwe zvivi zvako, udane zita raShe.
22:17b.ACT.022.017 Zvino ndakati ndadzokera Jerusarema, ndichinyengetera mutembere, ndikaita sokubatwa nomweya,
22:18b.ACT.022.018 ndikamuvona, achiti kwandiri: Kurumidza, ubve Jerusarema zvino-zvino, nokuti havangagamuchiri kupupura kwako pamusoro pangu.
22:19b.ACT.022.019 Ipapo ndikati: Ishe, vanoziva vamene kuti ini ndaiisa mutorongo, nokurova mumasinagoge, avo vaitenda kwamuri;
22:20b.ACT.022.020 vuye, musi wakadururwa ropa raStafano, chapupu chenyu, neni vo ndakanga ndimirepo, ndichibvumira, kuvurawa kwake ndikachengeta nguvo dzavaimuvuraya.
22:21b.ACT.022.021 Ipapo akati kwandiri: Enda, ndichakutuma kure kuvahedheni.
22:22b.ACT.022.022 Vakamuterera kusvikira pashoko iro; ipapo vakadanidzira, vachiti: Wakadai ngaabviswe panyika; nokuti haafaniri kurarama.
22:23b.ACT.022.023 Vakadanidzira, vakakandira nguvo dzavo pasi, vachikushira ivhu kudenga,
22:24b.ACT.022.024 mukuru wechuru chamazana akaraira, kuti aiswe kuimba yavarwi, achiti abvunzwe nokurobwa zvikuru, kuti azive mhosva yavaimupopotera kudai.
22:25b.ACT.022.025 Zvino vakati vamusunga namakashu, Pauro akati kumukuru wezana, wakanga amirepo: Makatenderwa kurova munhu uri muRoma, asina kutongwa here?
22:26b.ACT.022.026 Zvino mukuru wezana wakati achizvinzwa, akaenda kumutungamiri mukuru, akati kwaari chenjerai zvamunoita, Nokuti munhu uyu muRoma.
22:27b.ACT.022.027 Mutungamiri mukuru akavuya akati kwaari: Ndivudze, uri muRoma here? Akati: Hongu.
22:28b.ACT.022.028 Mutungamiri mukuru akati: Ini ndakatenga simba iri rokuve muRoma nomutengo mukuru. Pauro akati: Ini ndakaberekwa ndiri muRoma.
22:29b.ACT.022.029 Zvino vakanga vomubvunzisisa, vakabva kwaari pakarepo, nomutungamiri mukuru wakatya vo achiziva kuti iye muRoma, vuye nokuti wakanga amusunga. Pauro pamberi pamakurukota.
22:30b.ACT.022.030 Zvino fume mangwana, achida kuziva kwazvo kuti vaJudha vakamupomera mhosva yei, akamusunungura, akaraira kuti vaPirisita vakuru namakurukota ose vavungane, akaburusa Pauro, ndokumuisa pamberi pavo.
23
23:1b.ACT.023.001 Zvino Pauro wakati achitarisisa kumakurukota, akati: Varume, hama, ini ndakafamba pamberi paMwari nehana yakarurama kusvikira zuva ranhasi.
23:2b.ACT.023.002 Ipapo Ananiasi, muPirisita mukuru, akaraira vakanga vamire naye kuti vamurove muromo.
23:3b.ACT.023.003 Ipapo Pauro akati kwaari: Mwari uchakurova iwe, rusvingo rwakacheneswa; ugerepo kuti unditonge nomurairo, zvino woraira kuti ndirobwe, uchidarika murairo here?
23:4b.ACT.023.004 Vakanga vamirepo vakati: Ko unotuka muPirisita mukuru waMwari here?
23:5b.ACT.023.005 Pauro akati: Hama dzangu, ndakanga ndisingazivi kuti ndiye muPirisita mukuru; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Usataura zvakaipa pamusoro pomubati wavanhu vako.
23:6b.ACT.023.006 Zvino Pauro wakati achivona kuti vamwe ndivaSadhuse navamwe vaFarise, akadanidzira mumakurukota, akati: Varume, hama, ini ndiri muFarise, mwanakomana wavaFarise, ndotongwa pamusoro petariro nokumuka kwavakafa.
23:7b.ACT.023.007 Wakati adaro, kupesana kukavapo pakati pavaFarise navaSaduse; vungano ikaparadzana.
23:8b.ACT.023.008 Nokuti vaSadhuse vaiti hapana kumuka kwavakafa, kana mutumwa, kana mweya; asi vaFarise vaitenda izvozvo zvose.
23:9b.ACT.023.009 Zvino bope guru rikavapo; vamwe vanyori vokuvaFarise vakasimuka, vakaita nharo, vachiti: Ngatirege kugwa naMwari, hativoni chinhu chakaipa kumunhu uyu; zvimwe mweya wakataura naye, kana mutumwa.
23:10b.ACT.023.010 Zvino kupesana kukuru kuchida kumuka, mutungamiri Mukuru akatya kuti Pauro ungabvamburwa navo, akaraira varwi kuti vaburuke, vamubvute pakati pavo, vamuise muimba yavarwi.
23:11b.ACT.023.011 Vusiku; bwakatevera, Ishe akamira naye, akati: Tsunga moyo, sezvawakandipupurira kwazvo paJerusarema, unofanira kupupura paRoma vo. Vamwe vaJudha vanozvisunga kuvuraya Pauro; unoiswa Kesaria
23:12b.ACT.023.012 Zvino kwakati kwaedza, vaJudha vakaita rangano, vakazvisunga nokupika, vachiti, havangadyi kana kunwa kusvikira vavuraya Pauro.
23:13b.ACT.023.013 Vakanga vaita rangano iyo, vakapfuvura makumi mana.
23:14b.ACT.023.014 Ava vakaenda kuvaPirisita vakuru navakuru, vakati: Tazvisunga nokupika kukuru, kuti hatingadyi chinhu, kusvikira tavuraya Pauro.
23:15b.ACT.023.015 Naizvozvo zvino imi, namakurukota, mutaridzire mutungamiri mukuru, kuti amuburusire kwamuri mangwana, muchiita somunoda kunatso-bvunzisisa mhosva yake; isu tazvigadzira kuti timuvuraye, asati aswedera.
23:16b.ACT.023.016 Zvino mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akanzwa zvokuvandira kwavo, akaenda, akapinda mumba mavarwi, akavudza Pauro.
23:17b.ACT.023.017 Ipapo Pauro akadana mumwe wavakuru vezana, akati: Isa jaya iri kumutungamiri Mukuru; nokuti uneshoko raanoda kumuvudza.
23:18b.ACT.023.018 Naizvozvo akamutora, akaenda naye kumutungamiri Mukuru, akati: Pauro musungwa, wakandidana akakumbira, kuti ndivuye nejaya iri kwamuri; uneshoko raanoda kukuvudzai.
23:19b.ACT.023.019 Mutungamiri Mukuru akabata ruvoko rwake, akaenda naye vari voga, akamubvunza vari voga, akati: Uneshoko reiko, raunoda kundivudza?
23:20b.ACT.023.020 Iye akati: VaJudha vakatenderana kukumbira kwamuri, kuti muburuse Pauro kumakurukota mangwana, vachiita savanoda kumubvunzisisa mhosva yake.
23:21b.ACT.023.021 Naizvozvo musavatendera; nokuti pakati pavo kunavarume vanopfuvura makumi mana vanomuvandira vakazvisunga nokupika, kuti havangadyi, kana kunwa, kusvikira vamuvuraya; zvino vakazvigadzirira vachimirira chivimbiso, chinobva kwamuri.
23:22b.ACT.023.022 Naizvozvo Mutungamiri Mukuru akaendesa jaya amuraira achiti: Usavudza munhu, kuti wandizivisa izvozvo.
23:23b.ACT.023.023 Zvino akadana vakuru vezana vaviri, akati: Gadzirai varwi vanamazana maviri, navanotasva mabhiza vanamakumi manomwe, navanamapfumo vanamazana maviri, vaende Kesaria nenguva yechitatu yovusiku;
23:24b.ACT.023.024 muvatsvakire zvipfuwo, kuti vatasvise Pauro, vagonyatsomuisa kumubati Feriksi.
23:25b.ACT.023.025 Akanyora mwadi yakanga ichiti:
23:26b.ACT.023.026 Kraudio Risia, kunaFeriksi, mubati wakakurumbira kwazvo, kwaziwai!
23:27b.ACT.023.027 Uyu munhu wakabatwa navaJudha, akanga oda kuvurawa navo, ini ndikasvika navarwi, ndikamurwira, zvandakanzwa kuti muRoma.
23:28b.ACT.023.028 Zvino ndakati ndichida kuziva mhosva yavakamukwirira nayo, ndikamuburusira kumakurukota avo;
23:29b.ACT.023.029 ndakawana kuti wakwirirwa pamusoro pamashoko omurairo wavo, asi asinemhosva yechinhu chingafanira rufu kana kusungwa.
23:30b.ACT.023.030 Zvino ndakati ndavudzwa, kuti voda kuvandira munhu uyu, ndikamutumira kwamuri pakarepo, ndikaraira vanomukwirira kuti vataure pamberi penyu mhosva yake.
23:31b.ACT.023.031 Zvino varwi vakatora Pauro sezvavakarairwa, vakamuisa Antipatri vusiku.
23:32b.ACT.023.032 Fume mangwana vakarega vatasvi vamabhiza, kuti vaende naye, ivo vakadzokera kuimba yavarwi.
23:33b.ACT.023.033 Vaya vakati vasvika Kesaria, vakapa mubati mwadhi, vakaisa vo Pauro pamberi pake.
23:34b.ACT.023.034 Wakati arava, akabvunza kuti ndowenyika ipi; zvino wakati anzwa kuti ndoweKirikia,
23:35b.ACT.023.035 akati: Ndichakunzwa kwazvo, kana vanokukwirira vasvika vo; akaraira kuti achengetwe mumba maHerodhe.
24
24:1b.ACT.024.001 Zvino mazuva mashanu akati apfuvura, Ananiasi, muPirisita mukuru, akaburuka navamwe vakuru, nomumwe mureveri, wainzi Terturo; vakamhanarira Pauro kumubati.
24:2b.ACT.024.002 Iye akati adanwa, Terturo akatanga kumupomera mhosva achiti: Zvatinovona rugare rukuru nemi, norudzi urwu zvarunoruramisirwa mhosva nokubata kwenyu kwakanaka;
24:3b.ACT.024.003 tinozvigamuchira nemitovo yose napanzvimbo dzose nokuvonga kukuru, imi, Feriksi wakakurumbira zvikuru.
24:4b.ACT.024.004 Asi, zvandisingadi kukunonosai, ndinokumbira zvikuru kwamuri, kuti mutinzwei nengoni dzenyu zvishomanene.
24:5b.ACT.024.005 Nokuti takavona kuti murume uyu wakashata kwazvo, unomutsa bope pavaJudha vose panyika dzose, ari mutungamiriri weboka ravaNazareni.
24:6b.ACT.024.006 Iye wakaidza vo kushatisa tembere, tikamubata, [tichida kumutonga nomurairo wedu.
24:7b.ACT.024.007 Asi Risia, mutungamiri mukuru, ndokuvuya, akamubvisa mumavoko edu nesimba guru,
24:8b.ACT.024.008 akaraira vanomupomera kuti vavuye pamberi penyu.] Kana mukamubvunzisisa mumene, muchagona kuziva izvozvo zvose zvatakamukwirira nazvo.
24:9b.ACT.024.009 NavaJudha vakabvumira vo pakumhangara, vakasimbisa kuti zvinhu izvozvo ndizvo.
24:10b.ACT.024.010 Zvino mubati wakati amuninira kuti ataure, Pauro akapindura, akati: Zvandinoziva kuti mava mutongi wavanhu ava makore mazhinji, ndinozvidavirira nomufaro,
24:11b.ACT.024.011 nokuti munzwisise kuti mazuva achigere kupfuvura gumi namaviri, kubvira panguva yandakakwira Jerusarema kundonamata.
24:12b.ACT.024.012 Havana kundiwana ndichiita nharo mutembere nomunhu, kana muguta;
24:13b.ACT.024.013 havangagoni vo kusimbisa kwamuri izvo zvavanondipomera nazvo zvino.
24:14b.ACT.024.014 Asi ndinotenda hangu kwamuri, kuti ndinoshumira Mwari wamadzibaba edu neNzira, yavanoti idzidziso yakatsauka, ndichitenda zvose zvomurairo nezvakanyorwa pavaporofita;
24:15b.ACT.024.015 ndinetariro kunaMwari, iyo yavanotenda vo vamene, kuti kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama.
24:16b.ACT.024.016 Pachinhu ichi ndinoidza zvikuru kuti misi yose ndive nehana isinemhosva kunaMwari nokuvanhu.
24:17b.ACT.024.017 Zvino makore mazhinji akati apfuvura, ndakavuya nezvipo nezvibayiro kuvanhu vangu.
24:18b.ACT.024.018 Ndizvozvo zvavakandiwana ndichiita mutembere, ndanatswa, ndisinavanhu vazhinji, kana bopoto;
24:19b.ACT.024.019 asi vamwe vaJudha veAsia vaivapo ivo vaifanira kuva pano pamberi penyu, kundipomera mhosva, kana vaiva nechinhu neni.
24:20b.ACT.024.020 Kunyange naivava ngavareve vamene chisakarurama chavakawana, musi wandakamira pamberi pamakurukota
24:21b.ACT.024.021 asi shoko iri bedzi, randakadanidzira, ndimire pakati pavo, ndichiti: Ndinotongwa nhasi pamusoro pokumuka kwavakafa.
24:22b.ACT.024.022 Asi Feriksi, zvaakazivisisa zvakanaka. Nzira iyo, akavavetsa, achiti: Kana Risia, mutungamiri mukuru aburukira pano, ndichanatso-bvunzisisa mhaka yenyu.
24:23b.ACT.024.023 Akaraira mukuru wezana kuti Pauro achengetwe, arerusirwe, vuye kuti varege kudzivisa mumwe wokwake kumushumira.
24:24b.ACT.024.024 Zvino mamwe mazuva akati apfuvura, Feriksi akasvika, nomukadzi wake Drusira, waiva muJudha, akadana Pauro, akamunzwa pamusoro pokutenda kunaKristu Jesu.
24:25b.ACT.024.025 Zvino wakati achitaura zvokururama, nokuzvidzora, nokutonga kunovuya, Feriksi akatya zvikuru, akapindura, akati: Enda hako zvino; kana ndikazova nenguva yakanaka, ndichakudana.
24:26b.ACT.024.026 Wakati vo zvimwe uchazopiwa mari naPauro; amusunungure naizvozvo wakamudana kazhinji, achitaura naye.
24:27b.ACT.024.027 Asi makore maviri akati apera, Porkio Festo akapinda panzvimbo yaFeriksi, zvino Feriksi achida kufadza vaJudha, akasiya Pauro akasungwa.
25
25:1b.ACT.025.001 Zvino Festo wakati asvika panyika iyo, mazuva matatu apfuvura, akakwira Jerusarema, achibva Kesaria.
25:2b.ACT.025.002 vaPirisita vakuru navakuru vavaJudha vakamhangarira Pauro kwaari, vakamunyengetera,
25:3b.ACT.025.003 vakakumbira kuti avafadze pamusoro pake, amudanire Jerusarema, kuti vamuvandire vamuvuraye panzira.
25:4b.ACT.025.004 Asi Festo wakapindura, achiti Pauro wakachengetwa Kesaria, vuye kuti iye amene wakanga okurumidza kuendako.
25:5b.ACT.025.005 Akati: Avo vanesimba pakati penyu, ngavaburuke neni; kana kunechinhu chisakafanira kumunhu uyu, ngavamupomere mhosva.
25:6b.ACT.025.006 Akagara pakati pavo mazuva asingapfuvuri masere kana gumi, ndokuburukira Kesaria; fume mangwana akagara pachigaro chokutonga, akaraira kuti vavuye naPauro.
25:7b.ACT.025.007 Wakati asvika, vaJudha vakabva Jerusarema, vakamukomba, vakamupomera mhosva zhinji dzakaipa, dzavakanga vasingagoni kusimbisa.
25:8b.ACT.025.008 Zvino Pauro akazvidavirira, akati: Handina kutadzira murairo wavaJudha, kana tembere, kana Kesari.
25:9b.ACT.025.009 Zvino Festo achida kufadza vaJudha, akapindura Pauro akati: Unoda here kukwira Jerusarema, undotongwako pamberi pangu pamusoro pezvinhu izvi?
25:10b.ACT.025.010 Ipapo Pauro akati: Ndinomira pamberi pechigaro chokutonga chaKesari, pandinofanira kutongwa; handina kuitira vaJudha zvisakarurama, sezvamunoziva nemi vo zvakanaka.
25:11b.ACT.025.011 Zvino kana ndinemhosva kana kuti ndakaita chinhu chakafanira rufu handirambi kufa; asi kana pasinechinhu chezvokwadi pazvinhu zvavanondipomera, hakunomunhu ungandiisa mumavoko avo.Ndinozviisa kunaKesari.
25:12b.ACT.025.012 Ipapo Festo akataurirana namakurukota, akapindura, akati: Wazviisa kunaKesari; kunaKesari uchaenda. Pauro pamberi paAgripa.
25:13b.ACT.025.013 Zvino mamwe mazuva akati apfuvura, mambo Agripa naBernike vakasvika Kesaria kuzokwazisa Festo.
25:14b.ACT.025.014 Vakati vagara mazuva mazhinji, Festo akaisa mhosva yaPauro kunamambo, achiti: Kunomumwe murume wakasiyiwa pano naFeriksi, akasungwa;
25:15b.ACT.025.015 ndichiri paJerusarema, vaPirisita vakuru navakuru vavaJudha vakamumhangarira, vachikumbira kuti atongerwe rufu.
25:16b.ACT.025.016 Ndikavapindura, ndikati; haizi tsika yavaRoma kutongera munhu rufu, uyo unopomerwa asati ambotarisana navanomupomera, akapiwa chinguva yokuzvipindurira pamusoro penyaya yaanopomerwa.
25:17b.ACT.025.017 Zvino vakati vavungana pano, handina kunonoka, asi fume mangwana ndakagara pachigaro chokutonga, ndikaraira kuti vavuye nomurume uyo.
25:18b.ACT.025.018 Zvino vapomeri vakasimuka, asi havana kumupomera mhosva yezvinhu zvakaipa zvandakanga ndichiti vachamupomera nazvo;
25:19b.ACT.025.019 asi vakanga vanamamwe mashoko okupira kwavo, nomumwe Jesu wakanga afa, wainzi naPauro mupenyu.
25:20b.ACT.025.020 Zvino ini, zvandakanga ndisingazivi mubvunzire wezvinhu zvakadai, ndikabvunza kana achida kuenda Jerusasrema kundotongwa ikoko pamusoro pezvinhu izvozvo.
25:21b.ACT.025.021 Pauro wakati azviisa kuna mambo mukuru ndikaraira kuti achengetwe kusvikira ndichimutumira kuna Kesari.
25:22b.ACT.025.022 Ipapo Agripa akati kunaFesto; Neni ndinoda kunzwa munhu uyu ndimene. Iye akati: Mangwana muchamunzwa.
25:23b.ACT.025.023 Fume mangwana Agripa wakati asvika naBernike, vashonga kwazvo, vakapinda mumba maitambirwa mhaka, navatungamiriri vakuru, navakuru veguta, vakavuya naPauro varairwa naFesto.
25:24b.ACT.025.024 Zvino Festo akati: Mambo Agripa, nemi varume vose vaneni, munovona munhu uyu, wandakanyengeterwa navaJudha vose paJerusarema napano, vakadanidzira, vachiti: Haafaniri kuva mupenyu.
25:25b.ACT.025.025 Asi ini ndakawana kuti haana kuita chinhu chakafanira rufu, vuye zvaakakumbira kuiswa kunamambo mukuru, ndakati, ndichamutuma.
25:26b.ACT.025.026 Asi handineshoko kwaro rezvokwadi randinganyorera ishe pamusoro pake, saka ndavuya naye pamberi penyu, zvikuru pamberi penyu, imi mambo Agripa, kuti kana abvunzisiswa nemi, ndigova nezvandinganyora.
25:27b.ACT.025.027 Nokuti kwandiri zvakaita sezvisina kufanira kutuma musungwa, mhosva dzaakakwirirwa nadzo dzisingaziviswi vo.
26
26:1b.ACT.026.001 Zvino Agripa akati kuna Pauro: Unotenderwa kuzvidavirira. Ipapo Pauro akatambanudza ruvoko rwake, akazvidavirira, achiti;
26:2b.ACT.026.002 Mambo Agripa, ndinozvikorokotedza, zvandingazvidavirira nhasi pamberi penyu pamusoro pezvose zvandinokwirirwa nazvo navaJudha;
26:3b.ACT.026.003 zvikuru nokuti munoziva tsika dzose namashoko ose pakati pavaJudha; naizvozvo ndinokumbira kwamuri, kuti mundinzwe nomoyo murefu.
26:4b.ACT.026.004 VaJudha vose vanoziva mufambire wangu, kubva pavuduku bwangu, waiva pakati porudzi rwangu napaJerusarema kubva pakutanga;
26:5b.ACT.026.005 vakandiziva kare kana vachida kupupura, kuti ndaiva muFarise, nedzidziso yokupira kwedu yakaisvorurama.
26:6b.ACT.026.006 Nazvino ndinomira pano, kuti nditongwe nokuda kwokutarira chipikirwa chakapikirwa madzibaba edu naMwari.
26:7b.ACT.026.007 Marudzi edu anegumi namaviri anoshumira Mwari vusiku namasikati, achiti achasvika pachipikirwa icho.Pamusoro pokutarira uku, imi mambo, ndinokwirirwa navaJudha.
26:8b.ACT.026.008 Munofungireiko imi kuti hazvingatendwi kuti Mwari ungamutsa vakafa?
26:9b.ACT.026.009 Zvino neni ndaiti ndinofanira kuita zvinhu zvizhinji zvinopesana nezita raJesu weNazareta.
26:10b.ACT.026.010 Ndakazviita vo paJerusarema, ndikapfigira vatsvene vazhinji mutorongo, ndapiwa simba navaPirisita vakuru; vuye kana vaivurawa, neni ndaibvumiravo.
26:11b.ACT.026.011 Nomumasinagoge ose ndaivatambudza, ndichivaroverera kuti vamhure Mwari; ndikanyanya kuvapengera, ndikavatambudza kusvikira kumaguta ari kure nenyika ino.
26:12b.ACT.026.012 Ndakati ndichaita izvozvi, ndikaenda Dhamaseko nesimba vuye nomurairo wavaPirisita vakuru,
26:13b.ACT.026.013 zvino, mambo masikati makuru, ndiri munzira, ndikavona chiedza chaibva kudenga, chaikunda kupenya kwezuva, chichindipenyera kumativi ose navandaifamba navo.
26:14b.ACT.026.014 Zvino takati tawira pasi tose, ndikanzwa izwi richiti kwandiri norurimi rwechiHebheru: Sauro! Sauro! Unonditambudzireiko? Zvinokuremera kupfura zvibayiso.
26:15b.ACT.026.015 Ndakati: Ndimi aniko, Ishe akati: Ndini Jesu, waunotambudza.
26:16b.ACT.026.016 Asi simuka, umire namakumbo ako; nokuti ndazviratidza kwauri nezvizvi, kuti ndikuite munyai nechapupu chezvawakavona, nezvandichazviratidza nazvo kwauri;
26:17b.ACT.026.017 ndichakurwira kuvanhu nokuvahedheni, vandinokutumira kwavari;
26:18b.ACT.026.018 kuti usvinudze meso avo, vabve murima, vaende kuchiedza, nokubva pasimba raSatani, vaende kunaMwari. Kuti vagamuchire kanganwiro yezvivi zvavo, nenhaka pakati pavakaitwa vatsvene, nokutenda kwandiri.
26:19b.ACT.026.019 Naizvozvo, mambo Agripa handina kuramba kuterera chiratidzo chokudenga;
26:20b.ACT.026.020 asi ndakatanga kuparidza kuna veDhamaseko, nokunaveJerusarema, nenyika yose yeJudhea, nokuvahedheni, kuti vatendevuke, varingire kunaMwari, vaite mabasa akafanira kutendevuka.
26:21b.ACT.026.021 Pamusoro paizvozvi vaJudha vakandibata mutembere, vakaidza kundivuraya.
26:22b.ACT.026.022 Asi ndakabatsirwa naMwari, ndikamira kusvikira zuva ranhasi, ndichipupurira vaduku navakuru, ndisingarevi zvimwe zvinhu asi zvakataurwa navaporofita naMosesi, kuti zvichaitika;
26:23b.ACT.026.023 zvokuti Kristu wakafanira kutambudzika, vuye kuti ave wokutanga kumuka kuvakafa, aparidzire vanhu navahedheni chiedza.
26:24b.ACT.026.024 Zvino wakati achizvidavirira saizvozvo Festo akati nenzwi guru: Pauro, unopenga; kudzidza kwako kukuru kunokupenza.
26:25b.ACT.026.025 Asi Pauro akati: Handipengi, Festo wakakurumbira; asi ndinotaura mashoko amazvokwadi novuchenjeri.
26:26b.ACT.026.026 Nokuti mambo wandinotaura naye ndisingatyi, unoziva izvozvi, nokuti ndinoziva kuti hapane chinhu chaizvozvo chakavanzika kwaari, nokuti chinhu ichi hachina kuitwa pakavanda.
26:27b.ACT.026.027 Mambo Agripa, munotenda vaporofita here? Ndinoziva kuti munotenda.
26:28b.ACT.026.028 Agripa akati kunaPauro: Unenge unoda kundiita mukristu nenguva duku.
26:29b.ACT.026.029 Pauro akati: ndinonyengetera kunaMwari kana nenguva duku, kana nehuru, kuti musava imi moga, asi vose vanondinzwa nhasi, vaitwe seni, asi vasinezvisungo izvi.
26:30b.ACT.026.030 Ipapo mambo akasimuka, nomubati naBerinike, navakanga vagere navo;
26:31b.ACT.026.031 vakabuda vakataurirana, vakati: Munhu uyu haaiti chinhu chakafanira rufu kana kusungwa.
26:32b.ACT.026.032 Ipapo Agripa akati kunaFesto: Munhu uyu dai asina kuzviisa kuna Kesari ungadai asunungurwa.
27
27:1b.ACT.027.001 Zvino kwakati kwatemwa kuti tiende Itaria nechikepe, vakaisa Pauro navamwe vasungwa kumukuru wezana, wainzi Jurio, wehondo yaAugusto.
27:2b.ACT.027.002 Zvino takati tapinda muchikepe cheAdramiteni, chakanga choenda napamisha yemhenderekedzo dzeAsia, tikabva tinaAristarko muMakedhonia, waibva Tesaronika.
27:3b.ACT.027.003 Fume mangwana tikasvika Sidhoni, Jurio akaitira Pauro zvakanaka, akamutendera kuti aende kushamwari dzake, achengetwe navo.
27:4b.ACT.027.004 Tikabva ipapo, tikapfuvura nenyasi kweKupro, nokuti mhepo yakatidzivisa.
27:5b.ACT.027.005 Zvino tayambuka gungwa reKirikia nePamfiria, tikasvika Mira, musha weRikia.
27:6b.ACT.027.006 Mukuru wezana akawanapo chikepe cheAreksandira, chaienda Itaria, ndokutipinzamo.
27:7b.ACT.027.007 Zvino takanatsofamba mazuva mazhinji, tikasvika pakatarisana neKinido tichitambudzika, mhepo zvayakanga isingatitenderi kufamba, tikapfuvura nenyasi kweKrita, napakatarisana neSarmoni.
27:8b.ACT.027.008 Tikapfuvura napo tichitambudzika, ndokusvika pamwe painzi Zororo Rakanaka, pedo neguta reRasea.
27:9b.ACT.027.009 Zvino nguva huru yakati yapfuvura, nokufamba negungwa kwava nenjodzi, nokuti nguva yokuzvinyima zvokudya yakanga yatopfuvura, Pauro akavaraira,
27:10b.ACT.027.010 akati kwavari: Varume, ndinovona kuti rwendo rwedu ruchava nokutambudzika nokurashikirwa kukuru, zvisani zviri zvomutoro nechikepe bedzi, asi nokuvupenyu bwedu vo.
27:11b.ACT.027.011 Asi mukuru wezana wakaterera mufambisi wechikepe, nomwene wacho, kupfuvura zvakarebwa naPauro,
27:12b.ACT.027.012 nokuti zororo zvarakanga risina kunaka kuti vagarepo chando, vamwe vazhinji vakati zvirinani kuti vabvepo kuti zvimwe vangasvika Fenika vagarepo chando; ndiro zororo reKrita, rakanga rakatarira mabvazuva kumusoro nezasi.
27:13b.ACT.027.013 Zvino mhepo yezasi yakati ichirira zvishoma, vakati tawana zvatakanga tichivavarira, vakabvapo, vakafamba pedo neKrita.
27:14b.ACT.027.014 Zvino gare-gare mhepo inesimba, yainzi Yura-kuro, ikaburuka ichibva kwairi, ikatiwira.
27:15b.ACT.027.015 Zvino chikepe chakati chichibatwa, tisingagoni kufamba tichingotorwa.
27:16b.ACT.027.016 Zvino tikafamba nyasi kwechimwe chiwi chiduku, chainzi Krauda, tikanga tokoniwa kusunga igwa.
27:17b.ACT.027.017 Vakati varisimudza, vakatora zvibatsiro, vakasunga chikepe nenyasi; zvino vakatya kuti vachakandirwa pajecha reSirtisi, vakaderedza maseiri, ndokungotorwa.
27:18b.ACT.027.018 Fume mangwana, zvatakatambura kwazvo nedutu remhepo, vakakandira nhumbi kunze;
27:19b.ACT.027.019 nezuva retatu, vakakandira zvinhu zvechikepe kunze namavoko avo.
27:20b.ACT.027.020 Zvino zvatakanga tisina kubudirwa nezuva kana nyeredzi mazuva mazhinji, nedutu guru remhepo richiramba riripo, takatorerwa tariro yose yokuti tichaponeswa.
27:21b.ACT.027.021 Zvino vakati vagara nguva refu vasingadyi, Pauro akamira pakati pavo, akati: Varume, maifanira kunditerera, mukasabva Krita, mukasawirwa nokutambudzika nokurashikirwa uku.
27:22b.ACT.027.022 Asi zvino ndinokurairai kuti mutsunge moyo; nokuti hakuna ungarashikirwa novupenyu bwake pakati penyu, asi chekepe bedzi.
27:23b.ACT.027.023 Nokuti vusiku bwuno mutumwa waMwari, wandiri wake, nowandinoshumira vo, wakamira neni,
27:24b.ACT.027.024 akati: Pauro, usatya; unofanira kumira pamberi paKesari; tarira, Mwari wakakupa vose vanofamba newe muchikepe.
27:25b.ACT.027.025 Naizvozvo, varume, tsungai moyo nokuti ndinotenda Mwari kuti zvichaitika sezvandakavudzwa.
27:26b.ACT.027.026 Asi tinofanira kukandirwa pane chimwe chiwi.
27:27b.ACT.027.027 Zvino vusiku bwegumi novuna bwakati bwasvika, tichangotorwa-torwa mugungwa reAdra, pakati povusiku vafambisi vechikepe vakati voswedera kuneimwe nyika.
27:28b.ACT.027.028 Vakayera kudzika kwemvura, vakawana pakati mafadomi* makumi maviri; vakapfuvura zvishoma, ndokuyera zve, vakawana pakaita mafadomi* anegumi namashanu.
27:29b.ACT.027.029 Zvino vakatya kuti zvimwe tichawira pamabwe, vakakanda zvimiso zvina neshure kwechikepe, vakachema vachiti kuedze.
27:30b.ACT.027.030 Zvino vafambisi vakati vachida kutiza muchikepe, vakaburusira igwa mugungwa, vachiita savanenge vokanda zvimiso kumuromo wacho.
27:31b.ACT.027.031 Pauro akati kumukuru wezana navarwi: Hamungararami kana ava vasingagari muchikepe.
27:32b.ACT.027.032 Ipapo varwi vakagura mabote egwa, vakarirega, rikawa.
27:33b.ACT.027.033 Zvino kwakati kwoedza, Pauro akakumbira zvikuru kwavari vose kuti vadye, achiti: Nhasi rava zuva regumi nerechina, ramakagara muchizvinyima kudya, musingadyi chinhu.
27:34b.ACT.027.034 Saka ndinokumbira zvikuru kuti mudye, nokuti ndizvo zvichakuponesai; nokuti hakunoruvudzi rumwe ruchaparadzwa pamusoro womumwe wenyu.
27:35b.ACT.027.035 Wakati areva izvozvo akatora chingwa akavonga Mwari pamberi pavo vose, akachimedura, ndokutanga kudya iye.
27:36b.ACT.027.036 Ipapo vakatsunga moyo vose vakadya vo vamene.
27:37b.ACT.027.037 Isu tose taive muchikepe, taiva mazana maviri namakumi manomwe navatanhatu.
27:38b.ACT.027.038 Zvino vakati vaguta, vakarerusa chikepe, vachikandira zviyo mugungwa.
27:39b.ACT.027.039 Kwakati kwoedza, vakasaziva nyika; asi vakavona zororo raiva nejecha, vakarangana kana zvaibvira kuitika, kuti vaise chikepe pariri.
27:40b.ACT.027.040 Ipapo vakagura zvimiso, vakazviisa mugungwa, vakasunungura zvisungo zvokudzoresa nazvo, vakasimudzira seiri rapamberi kumhepo, vakaruramira kumhenderekedzo.
27:41b.ACT.027.041 Zvino vakati vachisvika paidira makungwa maviri, vakagumirisa chikepe pasi; muromo wacho ukabatwa kwazvo usingazununguki, asi rutivi rwacho rweshure rukavhunika nesimba remvura.
27:42b.ACT.027.042 Zvino varwi vakati zvirinani kuti vasungwa vavurawe, kuti vamwe varege kutiza vachishambira.
27:43b.ACT.027.043 Asi mukuru wezana wakada kuponesa Pauro, akavadzivisa zvavakanga vachida kuita; akaraira kuti vanogona kushambira, vatange kuzviwisira mumvura, vabude kunyika;
27:44b.ACT.027.044 vamwe, vasara, vabude vamwe pamatanda, vamwe panezvimwe zvinhu zvechikepe. Naizvozvo zvakaitika kuti vose vakasvika kunyika vari vapenyu.
28
28:1b.ACT.028.001 Zvino takati taponeswa, tikaziva kuti chiwi chinonzi Merita.
28:2b.ACT.028.002 Vanhu venyika iyi vakatiitira vunyoro kwazvo; nokuti vakabatidza moto, vakatigamuchira tose nokuda kwemvura yakanga ichinaya vuye nokuda kwechando.
28:3b.ACT.028.003 Zvino Pauro wakati avunganidza svinga rovutsotso, akabwuisa pamoto, kukabuda nyoka nokudziya, ikanamatira paruvoko rwake.
28:4b.ACT.028.004 Vanhu venyika iyo vakati vachivona chikara chakaremberera paruvoko rwake, vakataurirana, vachiti: Zvirokwazvo munhu uyu muvurayi, nokuti kunyange adoponeswa hake pagungwa, Kururama hakumutenderi kuti ave mupenyu.
28:5b.ACT.028.005 Asi iye wakazuzira chikara mumoto, akasanzwa kurwadzwa.
28:6b.ACT.028.006 Ivo vakati uchazvimba, kana kuwira pasi pakarepo, akafa; zvino vakati vatarira nguva refu, vakavona kuti haana kusvikirwa nenjodzi, vakashanduka voti: Iye ndimwari.
28:7b.ACT.028.007 Zvino pedo ipapo paiva neminda yomukuru wechiwi, wainzi Pubrio; iye wakatigamuchira, akatigarisa zvakanaka mazuva matatu.
28:8b.ACT.028.008 Zvino baba vaPubrio vakanga vavete pasi, vakabatwa nefivhiri nokubudisa ropa; Pauro akapinda kwavari, akanyengetera, ndokuisa mavoko ake pamusoro pavo, akavaporesa.
28:9b.ACT.028.009 Izvo zvakati zvaitwa, navamwe vo vechiwi, vairwara, vakavuya, vakaporeswa.
28:10b.ACT.028.010 Vakatikudza nokukudza kukuru; tichizoenda vakaisa pachikepe zvinhu zvatakanga tichishaiwa. Pauro woenda Roma, kwaanogara makore maviri.
28:11b.ACT.028.011 Mwedzi mitatu yakati yapfuvura, tikaenda nechikepe cheAreksandria, chakanga chagara chando pachiwi, chaiva nechiratidzo chokuti Dioskuri.
28:12b.ACT.028.012 Zvino tikaenda napaSirakuse, tikagara.po mazuva matatu.
28:13b.ACT.028.013 Tikabvapo, tikapota ndokusvika Regio; zuva rimwe rikati rapfuvura, mhepo yaibva zasi ikasimuka, tikasvika Puteori nezuva repiri;
28:14b.ACT.028.014 tikawanapo hama, dzakakumbira zvikuru kuti tigare nadzo mazuva manomwe; naizvozvo tikasvika Roma.
28:15b.ACT.028.015 Zvino hama dzakati dzatinzwa, dzikabvapo, dzikavuya kuzotichingamidza, dzikasvika Apio Foro napaTaberne Nhatu; Pauro akati adzivona idzo, akavonga Mwari, akatsunga moyo.
28:16b.ACT.028.016 Zvino takati tapinda Roma, mubati wechuru akaisa vasungwa kumutungamiriri mukuru, Pauro akatenderwa kugara ari oga, anomurwi waimurinda.
28:17b.ACT.028.017 Mazuva matatu akati apfuvura, akakokera avo, vakanga vari vakuru vavaJudha. Vakati vavungana, akati kwavari: Varume, hama, kunyange ndisina kuitira vanhu chinhu chakaipa, kana tsika dzamadzibaba edu, ndakabva Jerusarema ndakasungwa, ndaiswa pamavoko avaRoma;
28:18b.ACT.028.018 ivo, vakati vandibvunzisisa, vakada kundisunungura, nokuti pakanga pasinemhosva yorufu kwandiri.
28:19b.ACT.028.019 Asi vaJudha vakaramba, ndikarovererwa kuzviisa kuna Kesari; kusi kuti ndaiva nechinhu chokupomera rudzi rwangu.
28:20b.ACT.028.020 Zvino ndakakudanai pamusoro pemhosva iyi, kuti ndikuvonei, nditaurirane nemi, nokuti ndakasungwa neketani iri nokuda kwetariro yavaIsraeri.
28:21b.ACT.028.021 Vakati kwaari: Hatina kugamuchira mwadhi pamusoro pako, dzaibva Judhea, vuye hakunomumwe wehama wakasvika akativudza zvako, kana kutaura zvakaipa pamusoro pako.
28:22b.ACT.028.022 Asi tinoda kunzwa kwauri zvaunofunga; nokuti kana iri dzidziso iyi, tinoziva kuti inorambwa kwose-kwose.
28:23b.ACT.028.023 Zvino vakati vamutarira zuva, vakavuya kwaari vari vazhinji, kwaakanga agere, akavadudzira, achivapupurira kwazvo vushe bwaMwari, akavagombedzera pamusoro paJesu, nomurairo waMosesi navaporofita, kubva mangwanani kusvikira madekwana.
28:24b.ACT.028.024 Vamwe vakatenda zvakataurwa, asi vamwe havanakutenda.
28:25b.ACT.028.025 Zvino zvavakanga vasinganzwani, vakaenda, Pauro akataura shoko rimwe chete kwavari, rokuti: Mweya Mutsvene wakataura zvakanaka nomuporofita Isaya kunamadzibaba enyu,
28:26b.ACT.028.026 achiti: Enda kuvanhu ava uti: Nokunzwa muchanzwa, musingatongonzwisisi nokuvona muchavona musingatongovonesesi.
28:27b.ACT.028.027 Nokuti moyo yavanhu ava yava mikukutu, Nzeve dzavo hadzinzwi zvakanaka, Vakatsinzina meso avo; Kuti varege kutongovona nemeso avo, Nokunzwa nenzeve dzavo, Nokunzwisisa nemoyo yavo, Vatendevuke, Ndivaponese
28:28b.ACT.028.028 Zvino zivai imi, kuti ruponeso urwu rwakatumirwa vahedheni; ivo vachanzwa vo.
28:29b.ACT.028.029 [Wakati ataura izvozvo, vaJudha vakaenda, vachiita nyaya huru pakati pavo.]
28:30b.ACT.028.030 Iye akapedza makore maviri agere muimba yake yairipirwa mari, akagamuchira vose vaipinda kwaari,
28:31b.ACT.028.031 achiparidza vushe bwaMwari, achidzidzisa zvaShe Jesu Kristu, asingatongotyi, asingadziviswi nomunhu.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Acts (Shona). Acts (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5D8-6