John (Shona)

John (Shona)

1

1:1b.JOH.001.001 Pakutanga Shoko rakanga riripo, Shoko rakanga riri kunaMwari, Shoko rakanga riri Mwari.

1:2b.JOH.001.002 Ireri pakutanga rakanga riri kunaMwari.

1:3b.JOH.001.003 Zvinhu zvose zvakaitwa naye; kunze kwake hakuna kuitwa kunyange chinhu chimwe chakaitwa.

1:4b.JOH.001.004 Vupenyu bwaiva maari: vupenyu bwaiva chiedza chavanhu.

1:5b.JOH.001.005 Chiedza chinovhenekera murima; asi rima harina kuchikunda.

1:6b.JOH.001.006 Kwakanga kunomunhu wakatumwa naMwari, zita rake rainzi Johane.

1:7b.JOH.001.007 Iye wakavuya kuzopupura, kuti apupurire chiedza, kuti vose vatende naye.

1:8b.JOH.001.008 Uyo wakanga asati ari icho chiedza, asi wakatumwa kuti apupurire chiedza.

1:9b.JOH.001.009 Ichi chaiva chiedza chazvokwadi, chinovhenekera munhu mumwe nomumwe pakusvika kwacho panyika.

1:10b.JOH.001.010 Wakanga ari panyika, asi nyika haina kumuziva.

1:11b.JOH.001.011 Wakavuya kunezvake, asi vanhu vake havana kumugamuchira.

1:12b.JOH.001.012 Asi vose vakamugamuchira, wakavapa simba kuti vave vana vaMwari, ivavo vanotenda kuzita rake;

1:13b.JOH.001.013 avo vasina kuberekwa, neropa kana nokuda kwenyama. Kana nokuda kwomurume, asi naMwari.

1:14b.JOH.001.014 Shoko rakazova nyama, rikagara pakati pedu, (tikavona kubwinya kwake, kubwinya soko wakaberekwa mumwe chete wababa,) azere nenyasha nezvokwadi.

1:15b.JOH.001.015 Johane akamupupurira, akadanidzira, achiti: Uyu, ndiye wandaireva ndichiti;uyu unouya shure kwangu wakavapo mberi kwangu; nokuti wakanditangira.

1:16b.JOH.001.016 Nokuti pakuzara kwake isu tose takapiwa nyasha pamusoro penyasha.

1:17b.JOH.001.017 Nokuti murairo wakapiwa naMosesi, asi nyasha nezvokwadi zvakavuya naJesu Kristu.

1:18b.JOH.001.018 Hakunomunhu wakatongovona Mwari; chero nguva ipi; mwanakomana wakaberekwa mumwe woga, ari pachifuva chaBaba, ndiye wakamuzivisa isu. Kupupura kwaJohane Mubhabhatidzi. (Mat. 3. 1-12; Mar. 1. 1-8; Ruka 3. 1-20.)

1:19b.JOH.001.019 Uku ndiko kupupura kwaJohane, musi vaJudha vakatumira kwaari vaPirisita navaRevhi, vachibva Jerusarema, kundomubvunza, kuti: Iwe ndiwe aniko?

1:20b.JOH.001.020 Akatenda pachena, haana kuramba, akatenda pachena, achiti: Handizi Kristu.

1:21b.JOH.001.021 Vakamubvunza, vachiti: Asi kudiniko? Ndiwe Eria here? Akati: Handizi iye. Ko uri uya muporofita here? Akapindura, akati: Kwete,

1:22b.JOH.001.022 Zvino vakati kwaari: Ndiwe aniko? Tigondopindura vakatituma. Unozviti aniko?

1:23b.JOH.001.023 Akati: Ndini inzwi rounodana murenje, richiti: Ruramisai nzira yaShe; sezvakarebwa nomuporofita Isaya.

1:24b.JOH.001.024 Ava vakanga vatumwa vaiva vavaFarise,

1:25b.JOH.001.025 Vakamubvunza, vakati kwaari: Kana usiKristu, kana Eria, kana muporofita uya, unogobhabhatidzireiko?

1:26b.JOH.001.026 Johane akapindura akati,: Ini ndinobhabhatidza nemvura; asi pakati penyu pamire mumwe wamusingazivi;

1:27b.JOH.001.027 ndiye unovuya shure kwangu, asi uri mberi kwangu wandisina kufanira kuti ndisunungure rukanda rweshangu yake.

1:28b.JOH.001.028 Izvozvi zvakaitwa paBetania, mhiri kwaJoridhani, kwaibhabhatidza Johane.

1:29b.JOH.001.029 Ava mangwana wakavona Jesu achivuya kwaari, akati: Tarirai, Gwaiana raMwari, rinobvisa zvivi zvenyika.

1:30b.JOH.001.030 Uyu ndiye wandaireva, ndichiti: Shure kwangu kunovuya murume, wakavapo mberi kwangu, nokuti wakanditangira.

1:31b.JOH.001.031 Neni ndakanga ndisingamuzivi, asi ndizvo zvandakavuyira, ndichibhabhatidza nemvura, kuti avoneswe kuvaIsraeri.

1:32b.JOH.001.032 Johane akapupura, akati: Ndakavona Mweya achiburuka kudenga senjiva, akagara pamsoro pake.

1:33b.JOH.001.033 Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi wakandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunovona Mweya achiburuka pamusoro pake, akagara pamusoro pake, ndiye unobhabhatidza noMweya Mutsvene.

1:34b.JOH.001.034 Ini ndikavona, ndikapupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari. Vadzidzi vokutanga.

1:35b.JOH.001.035 Ava mangwana zve Johane wakanga amire navadzidzi vake vaviri;

1:36b.JOH.001.036 akatarisisa Jesu achifamba, akati: Tarirai, Gwaiana raMwari!

1:37b.JOH.001.037 Ivavo vadzidzi vaviri, vakamunzwa achitaura, vakatevera Jesu.

1:38b.JOH.001.038 Jesu akatendevuka akavavona vachitevera, akati kwavari: munotswakeiko ivo Vakati kwaari Rabhi (ndokuti Mudzidzisi, kana zvichishandurwa, munogarepiko?

1:39b.JOH.001.039 Akati kwavari: Vuyai, muvone. Vakaenda, vakandovona kwaaigara, vakagara naye zuva iro; yakanga iri nguva inenge yegumi.

1:40b.JOH.001.040 Mumwe waivavo vaviri, vakanga vanzwa Johane, vakamutevera, vaiva Andreasi, munununa waSimoni Petro.

1:41b.JOH.001.041 Iye akatanga kuwana Simoni, mukoma wake, akati kwaari: Tawana Mesiasi (ndokuti Kristu, kana zvichishandurwa, )

1:42b.JOH.001.042 Akamuisa kunaJesu. Jesu akamutarira, akati: Ndiwe Simoni, mwanakomana waJona, uchanzi Kefasi (ndiko kuti dombo kana zvichishandurwa.)

1:43b.JOH.001.043 Ava mangwana akada kuenda Garirea, akawana Firipo; Jesu akati kwaari: Nditevere.

1:44b.JOH.001.044 Firipo wakanga ari weBetsaida, guta raAndreasi naPetro.

1:45b.JOH.001.045 Firipo akawana Natanaeri, akati kwaari: Tamuwana iye, wakanyorwa zvake naMosesi pamurairo navaporofita, iye Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.

1:46b.JOH.001.046 Natanaeri akati kwaari: Kune chinhu chakanaka chingabva Nazareta here? Firipo akati kwaari: Vuya uvone.

1:47b.JOH.001.047 Jesu akavona Natanaeri achivuya kwaari, akamuti: Tarirai, muIsraeri wazvokwadi, usinokunyengera maari.

1:48b.JOH.001.048 Natanaeri akati kwaari: Mandizivirepiko? Jesu akapindura, akati kwaari: Firipo asati akudana, uri munyasi momuvonde, ndakakuvona.

1:49b.JOH.001.049 Natanaeri akamupindura, akati: Rabhi, ndimi Mwanakomana waMwari, ndimi Ishe waIsraeri.

1:50b.JOH.001.050 Jesu akapindura, akati kwaari: Unotenda iwe, nokuti ndakati kwauri, ndakakuvona munyasi momuvonde here? Uchazovona zvikuru kunaizvozvi.

1:51b.JOH.001.051 Akati kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kubva zvino Muchavona kudenga kwazarurwa, navatumwa vaMwari vachikwira, nokuburukira pamusoro poMwanakomana womunhu.

2

2:1b.JOH.002.001 Nezuva retatu mutambo wokuwana waivapo paKana yeGarirea; namai vaJesu vakanga varipo.

2:2b.JOH.002.002 NaJesu navadzidzi vake vakanga vadamwa vo kumutambo wokuwana.

2:3b.JOH.002.003 Waini yakati ichizoshaikwa, mai vaJesu vakati kwaari: Havachine waini.

2:4b.JOH.002.004 Jesu akati kwavari: Ndineiko nemi, mai? Nguva yangu ichigere kusvika.

2:5b.JOH.002.005 Mai vake vakati kuvaranda: Itai zvose zvaanokuvudzai.

2:6b.JOH.002.006 Zvino kwakanga kunamakate matanhatu amabwe, akanga aiswapo netsika yavaJudha yokuzvinatsa, rimwe nerimwe raizadzwa nezviyero zviviri kana zvitatu*

2:7b.JOH.002.007 Jesu akati kwavari: Zadzai makate nemvura. Ivo vakazadza kusvikira pamiromo.

2:8b.JOH.002.008 Akati kwavari: Cherai zvino muise kumukuru womutambo. Vakandoisa.

2:9b.JOH.002.009 Zvino mukuru womutambo wakati aravira mvura yakashanduka waini, asingazivi payabva, (asi varanda, vakanga vachera mvura, vaiziva), mukuru womutambo akadana chikomba,

2:10b.JOH.002.010 akati kwaari: Munhu mumwe nomumwe unositanga abudisa waini yakanaka, neisinganaki kana vamwa kwazvo, asi iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira zvino.

2:11b.JOH.002.011 Ichi chiratidzo chake chokutanga Jesu wakaita paKana yeGarirea, akaratidza kubwinya kwake; vadzidzi vake vakatenda kwaari.

2:12b.JOH.002.012 Shure kwaizvozvo wakaburukira Kapernaume, iye namai vake navanununa, navadzidzi vake; akagarapo mazuva mashomanene. Jesu unonatsa tembere. (Mat. 21. 12-17; Mar. 11. 15-18; Ruka 19. 45-48.)

2:13b.JOH.002.013 Paseka yavaJudha yakanga yava pedo; zvino Jesu akakwira Jerusarema.

2:14b.JOH.002.014 Akawana mutembere vaitengesa mombe namakwai nenjiva, navaitsinhanha mari, vageremo.

2:15b.JOH.002.015 Akaruka tyava yorwonzi, akabudisa mutembere makwai nemombe zvose; akaparadza mari yavaitsinhanha, nokuwisa matafura avo.

2:16b.JOH.002.016 Akati kuna vaitengesa njiva: Bvisai zvinhu izvozvo muno; musaita imba yaBaba vangu imba yokutengesera.

2:17b.JOH.002.017 Vadzidzi vake vakarangarira kuti kwakanyorwa, kuchinzi: Kushingairira imba yenyu kuchandipedza.

2:18b.JOH.002.018 Zvino vaJudha vakapindura, vakati kwaari: Ungatiratidza chiratidzo cheiko, zvaunoita zvinhu izvozvo?

2:19b.JOH.002.019 Jesu akapindura, akati kwaari: Putsai tembere iyi, ini ndichaimutsa zve namazuva matatu.

2:20b.JOH.002.020 Zvino vaJudha vakati: Tembere iyi yakavakwa namakore anamakumi mana namatanhatu, zvino iwe ungaimutsa namazuva matatu here?

2:21b.JOH.002.021 Asi iye wakanga achireva tembere yomuviri wake.

2:22b.JOH.002.022 Zvino wakati amutswa kuvakafa, vadzidzi vake vakatenda, kuti wakanga areva izvozvo; vakatenda Magwaro neshoko rakangararebwa naJesu.

2:23b.JOH.002.023 Zvino nguva yaakanga ari Jerusarema pamutambo wepaseka, vazhinji vakatenda kuzita rake, vachivona zviratidzo zvaaiita.

2:24b.JOH.002.024 Asi Jesu haana kuzviisa mumavoko avo, nokuti wakanga achivaziva vanhu vose.

2:25b.JOH.002.025 Wakanga asingatsvaki kuti munhu mumwe apupure zvomunhu; nokuti wakanga achiziva iye zviri mumunhu.

3

3:1b.JOH.003.001 Kwaivapo mumwe wavaFarise, wainzi Nikodimo, mukuru wavaJudha.

3:2b.JOH.003.002 Iye akavuya kwaari vusiku, akati kwaari: Rabhi, tinoziva kuti muri Mudzidzisi wakabva kunaMwari; nokuti hakuna munhu unogona kuita zviratidzo izvozvo zvamunoita, kana Mwari asinaye.

3:3b.JOH.003.003 Jesu akapindura, akati kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kana munhu asingaberekwi kutsva haangavoni vushe bwaMwari.

3:4b.JOH.003.004 Nikodimo akati kwaari: Munhu ungagoberekwa seiko ava mukuru? Ungapinda zve mudumbu ramai vake rwechipiri, akaberekwa here?

3:5b.JOH.003.005 Jesu akapindura, akati: Zvirokwazvo zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kana munhu asingaberekwi nemvura noMweya, haangagoni kupinda muvushe bwaMwari.

3:6b.JOH.003.006 Chakaberekwa nenyama inyama, chakaberekwa noMweya, mweya.

3:7b.JOH.003.007 Usashamiswa, nokuti ndakati kwauri: Munofanira kuberekwa kutsva?

3:8b.JOH.003.008 Mhepo inovhuvhuta painoda napo, unonzwa inzwi rayo, asi hauzivi painobva napainoenda; mumwe nomumwe wakaberekwa noMweya wakadaro.

3:9b.JOH.003.009 Nikodimo akapindura, akati kwaari; Zvinhu izvi zvingagoitwa seiko?

3:10b.JOH.003.010 Jesu akapindura, akati kwaari: Iwe uri mudzidzisi wavaIsraeri haunzwisisi zvinhu izvozvi here?

3:11b.JOH.003.011 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Tinotaura zvatinoziva tinopupura zvatakavona; asi imi hamugamuchiri kupupura kwedu.

3:12b.JOH.003.012 Kana ndakakuvudzai zvinhu zvenyika, mukasatenda, mungagotenda seiko, kana ndichikuvudzai zvinhu zvokudenga?

3:13b.JOH.003.013 Hakuno munhu wakakwira kudenga, asi iye wakaburuka kudenga, iye Mwanakomana womunhu.

3:14b.JOH.003.014 Mosesi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvo Mwanakomana womunhu unofanira kusimudzwa vo,

3:15b.JOH.003.015 kuti aninani unotenda kwaari, arege kuparara ave novupenyu bwusingaperi.

3:16b.JOH.003.016 Nokuti Mwari wakada nyika nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti aninani unotenda kwaari, arege kuparara, asi ave novupenyu bwusingaperi.

3:17b.JOH.003.017 Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake panyika, kuti arashe nyika, asi kuti nyika iponeswe naye.

3:18b.JOH.003.018 Unotenda kwaari, haatongwi; asi usingatendi kwaari, watotongwa, nokuti haana kutenda kuzita roMwanakomana waMwari wakaberekwa mumwe woga.

3:19b.JOH.003.019 Kutongwa ndokuku, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima kupfuvura chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa.

3:20b.JOH.003.020 Nokuti mumwe nomumwe, unoita zvakaipa, unovenga chiedza, haavuyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kubudiswa pachena.

3:21b.JOH.003.021 Asi unoita zvokwadi, unovuya pachiedza, kuti mabasa ake avonekwe, kuti akaitwa munaMwari Kupupura kwaJohane Mubhabhatidzi.

3:22b.JOH.003.022 Shure kwaizvozvo Jesu wakasvika munyika yeJudhea, navadzidzi vake, akagarako navo achibhabhatidza.

3:23b.JOH.003.023 NaJohane wakanga achibhabhatidza vo paAinoni, pedo neSarimi, nokuti kwaiva nemvura zhinji ipapo; vakavuya, vakabhabhatidzwa.

3:24b.JOH.003.024 Nokuti Johane wakanga achigere kuiswa mutirongo.

3:25b.JOH.003.025 Zvino nharo dzikamuka pamusoro pokuzvinatsa pakati pavadzidzi vaJohane nomumwe muJudha.

3:26b.JOH.003.026 Vakavuya kuna Johane, vakati kwaari: Rabhi, uya waiva nemi mhiri kwaJorodhani, wamaimbopupurira, tarirai, iye unobhabhatidza, vuye vose vanovuya kwaari.

3:27b.JOH.003.027 Johane akapindura, akati: Munhu haangagamuchiri chinhu, kana asina kuchipiwa chichibva kudenga.

3:28b.JOH.003.028 Imi mumene mungandipupurira, kuti ndakati: Handizi Kristu ini, asi kuti ndakatumwa pamberi pake.

3:29b.JOH.003.029 Unomwenga ndichochikomba; asi shamwari yechikomba inomira ichimunzwa, inofara zvikuru nenzwi rechikomba. Naizvozvo kufara kwangu uku kwazadzika.

3:30b.JOH.003.030 Iye unofanira kukura, asi ini ndinofanira kudukupiswa.

3:31b.JOH.003.031 Unobva kumusoro ndiye uri pamusoro pavose; nounobva panyika ndowenyika, unotaura zvenyika; unobva kudenga ndiye uri pamusoro pavose.

3:32b.JOH.003.032 Zvaakavona nezvaakanzwa, ndizvo zvaanopupura; asi hakunomunhu unogamuchira kupupura kwake.

3:33b.JOH.003.033 Uyo wakagamuchira kupupura kwake, wakasimbisa kuti Mwari ndowa zvokwadi.

3:34b.JOH.003.034 Nokuti wakatumwa naMwari, ndiye unotaura mashoko aMwari; nokuti haapi Mweya achiyera.

3:35b.JOH.003.035 Baba vanoda Mwanakomana, vakamupa zvose muruvoko rwake.

3:36b.JOH.003.036 Unotenda kuMwanakomana, unovupenyu bwusingaperi; asi usingatereri Mwanakomana, haangavoni vupenyu, asi kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.

4

4:1b.JOH.004.001 Zvino Ishe wakati aziva kuti vaFarise vakanga vanzwa kuti Jesu wakaita nokubhabhatidza vadzidzi vakawanda kupfuvura Johane,

4:2b.JOH.004.002 (kunyange Jesu wakanga asingabhabhatidzi amene, asi vadzidzi vake),

4:3b.JOH.004.003 akabva Judhea, akaenda zveGarirea.

4:4b.JOH.004.004 Wakanga achifanira kupfuvura neSamaria.

4:5b.JOH.004.005 Zvino akasvika paguta reSamaria, rainzi Sikari, pedo nenyika yakanga yapa Jakobho mwanakomana wake Josefa.

4:6b.JOH.004.006 Tsime raJakobho rakanga riripo. Zvino Jesu aneta nokufamba, ndokungogara zvake patsime. Yaiva nguva inenge yechitanhatu.

4:7b.JOH.004.007 Zvino mumwe mukadzi weSamaria akasvikapo kuzochera mvura. Jesu akati kwaari: Ndipeivo, ndimwe.

4:8b.JOH.004.008 Nokuti vadzidzi vake vakanga vaenda muguta kundotenga zvokudya.

4:9b.JOH.004.009 Ipapo mukadzi muSamaria akati kwaari: Ko iwe muJudha, unokumbira seiko kwandiri kumwa, ini mukadzi muSamaria? (Nokuti vaJudha havafambidzani navaSamaria).

4:10b.JOH.004.010 Jesu akapindura, akati kwaari: Dai waiziva chipo chaMwari, vuye kuti ndiani unoti kwauri, ndipei vo ndimwe, ungadai waikumbira kwaari, akakupa mvura mhenyu.

4:11b.JOH.004.011 Mukadzi akati kwaari: Ishe, hamuna chamungachera nacho, tsime rakadzika, zvino mvura mhenyu mungaiwanepiko?

4:12b.JOH.004.012 Ko muri mukuru kuna baba vedu Jakobho, vakatipa tsime iri, vakamwa pariri vamene navanakomana vavo nezvipfuwo zvavo here?

4:13b.JOH.004.013 Jesu akapindura, akati kwaari: Mumwe nomumwe, unomwa mvura iyi, uchava nenyota zve.

4:14b.JOH.004.014 Asi aninani, unomwa mvura yandichamupa ini, haachazovi nenyota nokusingaperi asi mvura, yandichamupa, ichava mukati make tsime remvura, inovhaira kusvika kuvupenyu bwusingaperi.

4:15b.JOH.004.015 Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuzova nenyota, kana kuvuya kuchera pano.

4:16b.JOH.004.016 Jesu akati kwaari: Enda, undodana murume wako, ugovuya pano.

4:17b.JOH.004.017 Mukadzi akapindura, akati kwaari: Handino murume. Jesu akati kwaari: Wareva zvakanaka, zvawati: Handino murume.

4:18b.JOH.004.018 Nokuti watova navarume vashanu; uyo, waunaye zvino, haazi murume wako; apo wareva zvokwadi.

4:19b.JOH.004.019 Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndinovona kuti muri muporofita.

4:20b.JOH.004.020 Madzibaba edu ainamata pagomo iri; imi munoti muJerusarema ndimo munofanira kunamatwa.

4:21b.JOH.004.021 Jesu akati kwaari: Mai, nditende kuti nguva inovuya, yamusingazonamati Baba pagomo iri, kana paJerusarema.

4:22b.JOH.004.022 Imi munonamata chamusingazivi; isu tinonamata chatinoziva, nokuti ruponeso runobva kuvaJudha.

4:23b.JOH.004.023 Asi nguva inovuya, nazvino yatovapo, yokuti vashumiri vazvokwadi vachanamata Baba mumweya nezvokwadi; nokuti Baba vanotsvaka vakadaro kuzomunamata.

4:24b.JOH.004.024 Mwari ndiMweya; vanomunamata, vanofanira kumunamata mumweya nezvokwadi.

4:25b.JOH.004.025 Zvino mukadzi akati kwaari: Ndinoziva kuti Mesiasi unovuya, unonzi Kristu; kana iye asvika, uchativudza zvose.

4:26b.JOH.004.026 Jesu akati kwaari: Ini, ndinotaura newe, ndini iye.

4:27b.JOH.004.027 Zvino vadzidzi vake vakasvika, vakashamiswa vachivona kuti unotaurirana nomukadzi; kunyange zvakadaro hakuno mumwe wakati: Munotsvakeiko? Kana: Munotaurireiko naye?

4:28b.JOH.004.028 Ipapo mukadzi akasiya chirongo chake, akaenda muguta, akati kuvanhu:

4:29b.JOH.004.029 Vuyai muvone munhu, wakandivudza zvose zvandakaita. Ko uyu handiti ndiye Kristu here?

4:30b.JOH.004.030 Vakabuda muguta, vakaenda kwaari.

4:31b.JOH.004.031 Nenguva iyo vadzidzi vake vakafanomunyengetera, vachiti: Rabhi, chidyai.

4:32b.JOH.004.032 Iye akati kwavari: Ini ndine zvokudya, zvandinodya, zvamusingazivi,

4:33b.JOH.004.033 Zvino vadzidzi vakataurirana, vachiti: Kasi mumwe wamuvigira zvokudya kanhi?

4:34b.JOH.004.034 Jesu akati kwavari: Zvokudya zvangu ndizvo, kuti ndiite kuda kwowakandituma, nokupedza basa rake.

4:35b.JOH.004.035 Ko imi hamuti: Kwasara mwedzi mina, kucheka kwasvika? Tarirai, ini ndinoti kwamuri: Simudzai meso enyu, vonai minda, kuti yatoibvira kucheka.

4:36b.JOH.004.036 Unocheka unopiwa mubairo, unovunganidza zvibereko muvupenyu bwusingaperi; kuti unokusha nounocheka vafare vose.

4:37b.JOH.004.037 Nokuti shumo ndeya zvokwadi, inoti: Mumwe unokusha, mumwe achicheka.

4:38b.JOH.004.038 Ndakakutumai kundocheka zvamusakabatira; vamwe vakabata, zvino imi mapinda pabasa ravo

4:39b.JOH.004.039 Zvino vaSamaria vazhinji veguta iro vakatenda kwaari neshoko romukadzi wakapupura, achiti: Wandivudza zvose zvandakaita.

4:40b.JOH.004.040 Zvino vaSamaria vakati vachisvika kwaari, vakamunyengetera kuti agare navo; akagarapo mazuva maviri.

4:41b.JOH.004.041 Navamwe vazhinji vakatenda neshoko rake.

4:42b.JOH.004.042 Vakati kumukadzi: Hatichatendi nokureva kwako; tazvinzwira timene, tinoziva kuti uyu ndiye Kristu Muponesi wenyika zvirokwazvo.

4:43b.JOH.004.043 Mazuva maviri akati apfuvura, akabvapo akaenda Garirea.

4:44b.JOH.004.044 Nokuti Jesu amene wakapupura, kuti muporofita haakudzwi munyika yake.

4:45b.JOH.004.045 Zvino wakati achisvika Garirea, vaGarirea vakamugamuchira, nokuti vakanga vavona zvose zvaakaita Jerusarema pamutambo, nokuti naivo vakanga vaenda vo kumutambo. Jesu unoporesa mwanakomana womutariri washe.

4:46b.JOH.004.046 Zvino Jesu wakasvika zve paKana yeGarirea, paakanga ashandura mvura ikaita waini. Ipapo pakanga pano mumwe mutariri washe, mwanakomana wake wakanga achirwara paKapernaume.

4:47b.JOH.004.047 Iye wakati achinzwa kuti Jesu wabva Judhea, wasvika Garirea, akaenda kwaari, akamunyengetera kuti aburuke kundoporesa mwanakomana wake; nokuti wakanga wotandadza.

4:48b.JOH.004.048 Zvino Jesu akati kwaari: Kana musingavoni zviratidzo nezvishamiso, hamungatongotendi.

4:49b.JOH.004.049 Mutariri washe akati kwaari: Ishe, burukai henyu, mwana wangu asati afa.

4:50b.JOH.004.050 Jesu akati kwaari: Enda hako, mwanakomana wako mupenyu. Munhu uyu akatenda shoko rakarebwa naJesu kwaari, akaenda.

4:51b.JOH.004.051 Wakati vachaburuka, varanda vake vakasongana naye, vakati: Mwana wenyu mupenyu.

4:52b.JOH.004.052 Zvino akavabvunza nguva yaakatanga kunaya nayo. Vakati kwaari: Zuro nenguva yechinomwe fivhiri yakabva kwaari.

4:53b.JOH.004.053 Zvino baba vakaziva kuti ndiyo nguva Jesu yaakati kwaari: Mwanakomana wako mupenyu. Iye akatenda nemhuri yake yose.

4:54b.JOH.004.054 Ichi ndicho chiratidzo chechipiri chakaitwa naJesu, abva Judhea, asvika Garirea.

5

5:1b.JOH.005.001 Shure kwaizvozvo, mutambo wavaJudha waivapo; Jesu akakwira Jerusarema.

5:2b.JOH.005.002 Zvino paJerusarema pedo nesuvo ramakwai kwaiva nedziva rainzi Betsaida nechiHebheru, raiva namabiravira mashanu.

5:3b.JOH.005.003 Mukati mawo makanga muvete vazhinji vairwara namapofu, nezvirema, navakawonyana, [vakamirira kubvongodzwa kwemvura.

5:4b.JOH.005.004 Nokuti mutumwa waiburukira mudziva iro neimwe nguva, achibvongodza mvura; zvino uyo waitanga kupinda mumvura yabvongodzwa waiporeswa, kunyange akanga akabatwa nokurwara kupi nokupi.

5:5b.JOH.005.005 Zvino kwaivapo mumwe munhu, wakanga abatwa nokurwara kwake makore makumi matatu namasere.

5:6b.JOH.005.006 Jesu wakati avona munhu uyo avete pasi, zvaaiziva kuti wakanga akadaro nguva huru, akati kwaari: Unoda kuporeswa here?

5:7b.JOH.005.007 Murwere akamupindura, akati: Ishe, ndinoshaiwa munhu unondiwisira mudziva, kana mvura ichibvongodzwa; asi ndinoti kana ndoenda. Mumwe wonditangira kupinda.

5:8b.JOH.005.008 Jesu akati kwaari: Simuka, tora nhovo dzako, ufambe.

5:9b.JOH.005.009 Pakarepo munhu uyo akaporeswa. Akatora nhovo dzake,. akafamba Musi uyo waiva wesabata.

5:10b.JOH.005.010 Zvino vaJudha vakati kuno wakaporeswa: Isabata, hautenderwi kutakura nhovo dzako.

5:11b.JOH.005.011 Iye akapindura, akati: Uyo wandiporesa ndiye wakati kwandiri: Tora nhovo dzako, ufambe?

5:12b.JOH.005.012 Vakamubvunza, vachiti: Ndianiko munhu uyo wakati kwaari: Tora nhovo dzako, ufambe?

5:13b.JOH.005.013 Zvino wakanga aporeswa, haana kuziva kuti ndiani; nokuti Jesu wakanga abva, zvakwaiva navanhu vazhinji panzvimbo iyo.

5:14b.JOH.005.014 Shure kwaizvozvo Jesu akamuwana mutembere, akati kwaari: Tarira, waporeswa; usatadza zve, kuti urege kubatwa nechinhu chakaipa chinokunda chichi.

5:15b.JOH.005.015 Zvino munhu uyo akandovudza vaJudha, kuti ndiJesu wakamuporesa.

5:16b.JOH.005.016 Saka vaJudha vakatambudza Jesu vakatsvaka kumuvuraya nokuti wakazviita izvozvo nesabata.

5:17b.JOH.005.017 Asi Jesu wakapindura, akati: Baba vangu vanobata kusvikira zvino, neni ndinobata vo.

5:18b.JOH.005.018 Saka zvino vaJudha vakatsvaka zvikuru kumuvuraya, nokuti wakanga asingaputsi murairo wesabata bedzi, asi wakati vo Mwari ndiBaba vake, achizvienzanisa naMwari.

5:19b.JOH.005.019 Zvino Jesu akapindura, akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mwanakomana hagoni kuita chinhu oga, kana asingavoni Baba vachichita; nokuti zvose zvavanoita ivo, Mwanakomana unozviita saizvozvo vo.

5:20b.JOH.005.020 Nokuti Baba vanoda Mwanakomana, vanomuratidza zvose zvavanoita vamene; vachamuratidza mabasa makuru kunawawa, kuti mushamiswe.

5:21b.JOH.005.021 Nokuti Baba sezvavanomutsa vakafa, vachivararamisa, saizvozvo Mwanakomana unoraramisa vo vaanoda kuraramisa.

5:22b.JOH.005.022 Nokuti naBaba havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kwose,

5:23b.JOH.005.023 kuti vose vakudze Mwanakomana sezvavanokudza baba. Usingakudzi Mwanakomana, haakudzi naBaba, vakamutuma.

5:24b.JOH.005.024 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unonzwa shoko rangu, nokutenda wakandituma, unovupenyu bwusingaperi; haavuyi mukutongwa, asi wabva murufu.waenda, muvupenyu.

5:25b.JOH.005.025 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Nguva inovuya, nazvino yatovapo, nayo vakafa vachanzwa inzwi roMwanakomana waMwari; vanonzwa vachararama.

5:26b.JOH.005.026 Nokuti baba sezvavanovupenyu mavari, saizvozvo vo vakapa Mwanakomana, kuti ave novupenyu maari.

5:27b.JOH.005.027 Vakamupa simba rokutonga, zvaari Mwanakomana womunhu.

5:28b.JOH.005.028 Musashamiswa naizvozvo; nokuti nguva inovuya, nayo vose vari mumabwiro vachanzwa inzwi rake,

5:29b.JOH.005.029 vachabuda; avo vakaita zvakanaka, kukumuka kwovupenyu avo vakaita zvakaipa, kukumuka kwokurashiwa.

5:30b.JOH.005.030 Handigoni kuita chinhu ndoga; ndinotonga sezvandinonzwa; kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuda kwangu, asi kuda kwaBaba vakandituma.

5:31b.JOH.005.031 Kana ndichizvipupurira, kupupura kwangu hakuzi kwazvokwadi.

5:32b.JOH.005.032 Mumwe uripo unondipupurira; ndinoziva kuti kupupura kwake kwaanondipupurira ndokwe zvokwadi

5:33b.JOH.005.033 Makatuma kunaJohane, iye akapupura zvokwadi.

5:34b.JOH.005.034 Ini handigamuchiri kupupura kunobva kumunhu, asi ndinoreva izvozvo kuti muponeswe.

5:35b.JOH.005.035 Iye wakanga ari mwenje unopfuta nounovheneka;imi makanga muchida kufara nguva duku muchiedza chake.

5:36b.JOH.005.036 Ini ndinechapupu chikuru kunaJohane; nokuti mabasa andakapiwa naBaba; kuti ndiapedze, iwo mabasa andinoti, ndiwo anondipupurira kuti Baba vakandituma.

5:37b.JOH.005.037 Naivo Baba, vakandituma, ndivo vakandipupurira vo. Hamuna kutongonzwa inzwi ravo, kana kuvona mufananidzo wavo.

5:38b.JOH.005.038 Shoko ravo harigari mukati menyu, nokuti hamutendi wavakatuma.

5:39b.JOH.005.039 Munonzvera Magwaro, nokuti munoti vupenyu bwusingaperi munabwo maari; ndiwo anondipupurira ini.

5:40b.JOH.005.040 Asi hamudi kuvuya kwandiri, kuti muve novupenyu.

5:41b.JOH.005.041 Handigamuchiri kukudzwa kunobva kuvanhu; asi ndinokuzivai, kuti hamunorudo rwaMwari mukati menyu.

5:42b.JOH.005.042 asindinokuzivai, kuti hamunorudzo rwaMwari mukati menyu.

5:43b.JOH.005.043 Ndakavuya nezita raBaba vangu, asi hamuna kundigamuchira; kana mumwe akasvika nezita rake amene, muchamugamuchira iye.

5:44b.JOH.005.044 Mungatenda seiko imi, iyemi munogamuchira kukudzwa mumwe kunomumwe, asi kukudzwa kunobva kunaMwari, oga, hamukutsvaki?

5:45b.JOH.005.045 Musati ndichakupomerai mhosva kunaBaba; mumwe uriko unokupomerai mhosva, ndiye Mosesi, wamakavimba naye.

5:46b.JOH.005.046 Nokuti dai maitenda Mosesi, mungadai mainditenda ini, nokuti iye wakanyora zvangu.

5:47b.JOH.005.047 Asi kana musingatendi manyoro ake, mungatenda seiko mashoko angu?

6

6:1b.JOH.006.001 Shure kwaizvozvo Jesu wakaenda mhiri kwegungwa reGarirea, ndiro reTiberiasi.

6:2b.JOH.006.002 Vanhu vazhinji zhinji vakamutevera, nokuti vakavona zviratidzo zvaaita kuvarwere.

6:3b.JOH.006.003 Jesu akakwira mugomo, akagaramo navadzidzi vake.

6:4b.JOH.006.004 Paseka mutambo wavaJudha, wakanga uri pedo.

6:5b.JOH.006.005 Zvino wakati achitarira, akavona vanhu vazhinji zhinji vachivuya kwaari, akati kuna Firipo: Tingatengepiko zvingwa, kuti vanhu ava vadye?

6:6b.JOH.006.006 Wakareva izvozvo achimuidza, nokuti iye wakaziva amene zvaakanga achida kuita.

6:7b.JOH.006.007 Firipo akamupindura achiti: Zvingwa zvamadenari anamazana maviri* hazvingavaringani, kuti mumwe nomumwe atore zvishoma.

6:8b.JOH.006.008 Zvino mumwe wavadzidzi vake, Andreasi, munununa waSimoni Petro, akati kwaari:

6:9b.JOH.006.009 Pano panomukomana, unezvingwa zvishanu zvebhari nehove mbiri; asi izvi zvingakwanira sei vanhu vazhinji vakadai?

6:10b.JOH.006.010 Jesu akati: Garisai vanhu pasi. Zvino kwakanga kunovuswa bwuzhinji ipapo. Naizvozvo varume vakagara pasi, kuwanda kwavo kunenge zvuru zvishanu.

6:11b.JOH.006.011 Zvino Jesu akatora zvingwa; akavonga, akazvipa vakanga vagere pasi; nehove vo saizvozvo pavaida napo.

6:12b.JOH.006.012 Zvino vakati vaguta, akati kuvadzidzi vake; Vunganidzai zvimedu zvakasara, kuti kurege kurashika chinhu.

6:13b.JOH.006.013 Ipapo vakazvivunganidza, vakazadza matengu anegumi namaviri nezvimedu zvezvingwa zvishanu zvebari, zvakanga zvasara kuna vakadya.

6:14b.JOH.006.014 Zvino vanhu vakati vavona chiratidzo chaakaita, vakati: Zvirokwazvo uyu ndiye uya muporofita, unovuya panyika.

6:15b.JOH.006.015 Zvino Jesu, zvaakaziva kuti vodo kuvuya kumubata nesimba kuzomuita mambo, akabva zve akaenda mugomo ari oga. Jesu unofamba pamusoro pemvura. (Mat. 14. 22-33; Mar. 6. 45-56.)

6:16b.JOH.006.016 Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakaburukira kugungwa;

6:17b.JOH.006.017 vakapinda mugwa, vakatanga kuyambuka gungwa kuenda Kapernaume. Zvino kwakanga kwasviba, asi Jesu wakanga asati asvika kwavari.

6:18b.JOH.006.018 Gungwa rikatanga kumutswa nemhepo huru yaivhuvhuta.

6:19b.JOH.006.019 Zvino vakati vakwasva zvikuru mastadia anenge makumi maviri namashanu, kana makumi matatu,* vakavona Jesu achifamba pamusoro pegungwa, achiswedera pedo negwa; vakatya.

6:20b.JOH.006.020 Asi iye akati kwavari: Ndini, musatya.

6:21b.JOH.006.021 Zvino vakafara kumugamuchira mugwa, igwa rikasvika pakarepo kunyika kwavakanga vachienda. Jesu chingwa chovupenyu.

6:22b.JOH.006.022 Ava mangwana vanhu vazhinji, vakanga vamire mhiri kwegungwa, vakavona kuti pakanga pasine rimwe igwa duku ipapo, asi iro rimwe makanga mapinda vadzidzi vake, mariri, vuye kuti Jesu haana kupinda mugwa navadzidzi vake, asi kuti vadzidzi vake vakanga vaenda voga.

6:23b.JOH.006.023 (Asi mamwe magwa maduku akanga abva Tiberiasi, akasvika pedo pavakadyira zvingwa, Ishe ambovonga).

6:24b.JOH.006.024 Zvino vanhu vazhinji vakati vavona, kuti Jesu haapo, navadzidzi vake, vakapinda vamene mumagwa maduku, vakasvika Kapernaume, vachitsvaka Jesu.

6:25b.JOH.006.025 Zvino vakati vamuwana mhiri kwegungwa, vakati kwaari: Rabhi, mavuya pano riniko?

6:26b.JOH.006.026 Jesu akavapindura, akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Hamunditsvaki nokuti makavona zviratidzo, asi nokuti makadya zvingwa mukaguta.

6:27b.JOH.006.027 Musabatira zvokudya zvinopera, asi zvokudya zvinogara kuvupenyu bwusingaperi, zvamuchapiwa noMwanakomana womunhu; nokuti Baba, vakaisa chisimbiso kwaari.

6:28b.JOH.006.028 Zvino vakati kwaari: Tichaiteiko, kuti tibate mabasa aMwari?

6:29b.JOH.006.029 Jesu akapindura, akati kwavari: Basa raMwari ndiro, kuti mutende kuna iye waakatuma.

6:30b.JOH.006.030 Zvino vakati kwaari: Munoita chiratidzo chipiko, kuti tivone, tikutendei? Imi munobateiko?

6:31b.JOH.006.031 Madzibaba edu akadya mana murenje, sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Wakavapa chingwa chakabva kudenga, kuti vadye.

6:32b.JOH.006.032 Zvino Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Wakanga asi iye Mosesi, wakakupai chingwa chakabva kudenga, asi ndiBaba vangu vanokupai chingwa chazvokwadi, chinobva kudenga.

6:33b.JOH.006.033 Nokuti chingwa chaMwari ndiye unoburuka achibva kudenga, unopa nyika vupenyu.

6:34b.JOH.006.034 Zvino vakati kwaari: Ishe, tipei chingwa ichi misi yose.

6:35b.JOH.006.035 Jesu akati kwavari: Ndini chingwa chovupenyu; unovuya kwandiri, haangatongovi nenzara, nounotenda kwandiri haangatongovi nenyota.

6:36b.JOH.006.036 Asi ndakakuvudzai, kuti makandivona, asi hamutendi.

6:37b.JOH.006.037 Zvose Baba zvavanondipa zvichavuya kwandiri; nounovuya kwandiri, handingatongomurashiri kunze.

6:38b.JOH.006.038 Nokuti handina kuburuka kudenga, kuti ndiite kuda kwangu, asi kuda kwowakandituma.

6:39b.JOH.006.039 Uku ndiko kuda kwababa vakandituma kuti, pazvose zvaakandipa, ndisarasikirwa nechinhu, asi kuti ndichimutse nezuva rokupedzisira.

6:40b.JOH.006.040 Nokuti kuda kwaBaba vangu ndiko, kuti mumwe nomumwe, unotarira Mwanakomana, nokutenda kwaari, ave novupenyu bwusingaperi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.

6:41b.JOH.006.041 Zvino vaJudha vakanununa pamusoro pake, nokuti wakati: Ndini chingwa chakaburuka kudenga.

6:42b.JOH.006.042 Vakati: Uyu haazi Jesu, Mwanakomana waJosefa, watinoziva baba namai vake here? Zvino ungagoti seiko: Ndakaburuka kudenga.

6:43b.JOH.006.043 Jesu akapindura, akati kwavari: Musanununa pakati penyu.

6:44b.JOH.006.044 Hakuno munhu ungavuya kwandiri, kana Baba, vakandituma, vasingamukwevi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.

6:45b.JOH.006.045 Muvaporofita makanyorwa, muchinzi: Vachadzidziswa vose naMwari. Mumwe nomumwe wakazvinzwa kunaBaba, akadzidza, unovuya kwandiri.

6:46b.JOH.006.046 Handirevi kuti kuno munhu wakavona Baba; asi uyo uri waMwari, ndiye wakavona Baba.

6:47b.JOH.006.047 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unotenda, kwandiri unovupenyu bwusingaperi.

6:48b.JOH.006.048 Ndini chingwa chovupenyu.

6:49b.JOH.006.049 Madzibaba enyu akadya mana murenje, akafa.

6:50b.JOH.006.050 ichi ndicho chingwa, chinoburuka kudenga, kuti munhu achidye, arege kufa.

6:51b.JOH.006.051 Ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kudenga; kana munhu achidya chingwa ichi; uchararama nokusingaperi; chingwa chandichapa, inyama yangu, bwuve vupenyu bwenyika.

6:52b.JOH.006.052 Zvino vaJudha vakakakavadzana pakati pavo, vachiti: Munhu uyu ungatipa seiko nyama yake, tidye?

6:53b.JOH.006.053 Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kana musingadyi nyama yoMwanakomana womunhu, nokumwa ropa rake, hamunovupenyu mamuri.

6:54b.JOH.006.054 Aninani unodya nyama yangu, nounomwa ropa rangu, unovupenyu bwusingaperi; ini ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.

6:55b.JOH.006.055 Nokuti nyama yangu izvokudya chaizvo, neropa rangu zvokumwa chaizvo.

6:56b.JOH.006.056 Unodya nyama yangu, nounomwa ropa rangu, unogara mandiri, neni maari.

6:57b.JOH.006.057 Baba vapenyu, sezvavakandituma, neni ndichararama naBaba; saizvozvo unondidya, uchararama neni.

6:58b.JOH.006.058 Ichi chingwa chakaburuka kudenga; hazvina kuita samadzibaba akadya mana akafa; unodya chingwa ichi uchararama nokusingaperi.

6:59b.JOH.006.059 Wakareva zvinhu izvi musinagoge, achidzidzisa paKapernaume. Vamwe vadzidzi vaJesu vanomusiya, asi Petro unopupura kuti Jesu ndiye Kristu.

6:60b.JOH.006.060 Zvino vazhinji vavadzidzi vake vakati vachizvinzwa, vakati: Iri shoko igukutu; ndianiko ungarinzwa?

6:61b.JOH.006.061 Asi Jesu, zvaakanga achiziva mumoyo make kuti vadzidzi vake vanonununa neshoko irero, akati kwavari: Iri shoko rinokugumbusai kanhi?

6:62b.JOH.006.062 Muchagodiniko kana muchivona Mwanakomana womunhu achikwira kwaaiva pakutanga?

6:63b.JOH.006.063 Mweya ndiye unoraramisa, nyama hainamaturo; mashoko andakataura kwamuri, ndiwo mweya novupenyu.

6:64b.JOH.006.064 Asi vamwe venyu variko vasingatendi, nokuti Jesu wakanga achiziva kubva pakutanga, kuti vaisatenda ndivanani, vuye kuti ndiani waizomupandukira,

6:65b.JOH.006.065 Akati: Nemhaka iyi ndakati kwamuri, kuti hakuno munhu ungavuya kwandiri, kana asina kuzvipiwa naBaba.

6:66b.JOH.006.066 Kubva panguva iyo vadzidzi vake vazhinji vakadzokera shure, vakasazofamba naye,

6:67b.JOH.006.067 Jesu akati kuna vanegumi navaviri: Nemi muchaendawo here?

6:68b.JOH.006.068 Simoni Petro akamupindura, akati: Ishe, tichagoenda kunaniko? Ndimi muna mashoko ovupenyu bwusingaperi,

6:69b.JOH.006.069 Isu takatenda vuye tine chokwadi kuti ndimwi uya Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu.

6:70b.JOH.006.070 Jesu akapindura akati: handina kukusanangurai, imi vanegumi navaviri here? asi mumwe wenyu ndowa Dhiabhurosi.

6:71b.JOH.006.071 Wakareva Judhasi, Isikarioti, mwanakomana waSimoni, nokuti iye ndiye waizomupandukira, ari mumwe wavanegumi navaviri.

7

7:1b.JOH.007.001 Shure kwaizvozvo Jesu wakafamba muGarirea; nokuti wakanga asingadi kufamba muJudhea, nokuti vaJudha vakanga vachida kumuvuraya.

7:2b.JOH.007.002 Zvino mutambo wavaJudha wamatumba wakanga uri pedo.

7:3b.JOH.007.003 Naizvozvo vanununa vake vakati kwaari: Ibva pano, uende Judhea, kuti vadzidzi vako vavone vo mabasa ako aunoita.

7:4b.JOH.007.004 Nokuti hakuno munhu unoita chinhu chinyararire, kana iye amene achida kuzikamwa; kana iwe uchiita izvi, uzviratidze kunyika.

7:5b.JOH.007.005 Nokuti navanununa vake vakanga vasingatendi kwaari.

7:6b.JOH.007.006 Ipapo Jesu akati kwavari: Nguva yangu ichigere kusvika; asi nguva yenyu inogara yakagadzirwa.

7:7b.JOH.007.007 Nyika haingakuvengiyi imi; asi inondivenga ini, nokuti ndinoipupurira, kuti mabasa ayo akaipa.

7:8b.JOH.007.008 Kwirai kumutambo imi, ini handiti ndokwira kumutambo, nokuti nguva yangu ichigere kusvika kwazvo.

7:9b.JOH.007.009 Wakati areva izvozvo kwavari, akagara Garirea. Jesu pamutambo wamatumba.

7:10b.JOH.007.010 Zvino vanununa vake vakati vakwira kumutambo, iye akabva okwira vo, asingaendi pachena, asi panenge sapakavanda.

7:11b.JOH.007.011 Zvino vaJudha vakamutsvaka pamutambo, vakati: Uripiko iye?

7:12b.JOH.007.012 Kunununa kukuru kukavapo pakati pavazhinji pamusoro pake, vamwe vachiti: Wakanaka; vamwe vachiti: Kwete, unotsausa vanhu vazhinji.

7:13b.JOH.007.013 Kunyange zvakadaro kwakanga kusinomunhu waitaura pachena pamusoro pake, nokuti vakatya vaJudha.

7:14b.JOH.007.014 Zvino kwakati pava pakati pomutambo, Jesu akakwira kutembere, akatanga kudzidzisa.

7:15b.JOH.007.015 Naizvozvo vaJudha vakashamiswa, vachiti: Munhu uyu unoziva seiko manyoro, zvaasina kumbodzidza?

7:16b.JOH.007.016 Jesu akapindura, akati: Dzidziso yangu haizi yangu, asi ndokwo wakandituma.

7:17b.JOH.007.017 Kana munhu achida kuita kuda kwake, uchaziva kana dzidziso ichibva kunaMwari, kana ndichazvitaurira ndimene.

7:18b.JOH.007.018 Unozvitaurira, unotsvaka kukudzwa kwake; asi unotsvaka kukudzwa kwowakamutuma, ndiye wazvokwadi, hapana kusarurama maari.

7:19b.JOH.007.019 Mosesi haana kukupai murairo here? Asi hakunomumwe wenyu unoita murairo. Munotsvakireiko kundivuraya?

7:20b.JOH.007.020 Vanhu vazhinji vakapindura, vachiti: Unomweya wakaipa iwe; ndianiko unotsvaka kukuvuraya?

7:21b.JOH.007.021 Jesu akapindura, akati kwavari: Ndakaita basa rimwe, mukashamiswa mose.

7:22b.JOH.007.022 Nemhaka iyi Mosesi wakakupai dzingiso, (handiti ndeyaMosesi, asi yamadzibaba); zvino imi munodzingisa munhu nesabata.

7:23b.JOH.007.023 Zvino kana munhu angadzingiswa nesabata, kuti murairo waMosesi urege kuputswa, ko imi monditsamwira nokuti ndakaporesa munhu zvakakwana.

7:24b.JOH.007.024 Musatonga nezvinovonekwa, asi tongai nokutonga kwakarurama.

7:25b.JOH.007.025 Zvino vamwe veJerusarema vakati: Ko haazi iye wavaitsvaka kuvuraya here?

7:26b.JOH.007.026 Tarirai, unotaura pachena, vasingarevi chinhu kwaari. Ko vakuru vanoziva kwazvo kanhi kuti ndiye Kristu?

7:27b.JOH.007.027 Zvino uyu tinoziva kwaanobva, asi Kristu kana achisvika, hakunomunhu ungaziva kwaanobva.

7:28b.JOH.007.028 Zvino Jesu akadanidzira mutembere, akadzidzisa, achiti: Munondiziva, munoziva napandakabva; handina kuvuya ini ndimene, asi wakandituma ndiye wazvokwadi, wamusingazivi imi.

7:29b.JOH.007.029 Ini ndinomuziva, nokuti ndinobva kwaari; ndiye wakandituma.

7:30b.JOH.007.030 Naizvozvo vakatsvaka kumubata, asi kwakanga kusinomunhu wakaisa ruvoko kwaari, nokuti nguva yake yakanga isati yasvika.

7:31b.JOH.007.031 Asi vamwe vazhinji vakatenda kwaari, vakati: Kana Kristu achizosvika, ungaita zviratidzo zvizhinji kunezvizvi zvakaitwa nouyu here.

7:32b.JOH.007.032 Zvino vaFarise vakanzwa vanhu vazhinji vachinununa izvozvo pamusoro pake; vaPirisita vakuru navaFarise vakatuma vatariri kundomubata.

7:33b.JOH.007.033 Ipapo Jesu akati kwavari: Ndichiri nemi nguva duku, ndigoenda kuno wakandituma.

7:34b.JOH.007.034 Muchanditsvaka, asi hamungandiwani; vuye apo pandiri, imi hamungasvikipo.

7:35b.JOH.007.035 Zvino vaJudha vakataurirana, vachiti: Uyu unoda kuendepiko, kwatisingazomuwani? Ko unoda kuenda kuna vakapararira pakati pavaHedheni, kuti andodzidzisa vaGiriki here?

7:36b.JOH.007.036 Rinoti kudiniko shoko iri raareva, rokuti: Muchanditsvaka, asi hamungandiwani, vuye, apo pandiri, imi hamungasvikipo?

7:37b.JOH.007.037 Zvino nezuva rokupedzisira, zuva guru romutambo, Jesu wakamira, akadanidzira, akati: Aninani, kana anenyota, ngaavuye kwandiri, amwe.

7:38b.JOH.007.038 Unotenda kwandiri, sezvazvakarebwa noRugwaro, nzizi dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make.

7:39b.JOH.007.039 Asi izvi wakareva zvoMweya, waizopiwa avo vaitenda kwaari, nokuti Mweya Mutsvene wakanga asati wavapo, nokuti Jesu wakanga asati akudzwa.

7:40b.JOH.007.040 Zvino vamwe pakati pavanhu vazhinji vakati vachinzwa mashoko awa vakati: Zvirokwazvo uyu muporofita.

7:41b.JOH.007.041 Vamwe vakati: ndiye Kristu. Asi vamwe vakati: Ko Kristu ungabva Garirea here?

7:42b.JOH.007.042 Rugwaro haruna kureva here, kuti Kristu uchabva, kurudzi rwaDhavhidhi, napamusha weBhetirehemu, paiva naDhavhidhi?

7:43b.JOH.007.043 Naizvozvo kupesana kwakamuka pamusoro pake pakati pavazhinji.

7:44b.JOH.007.044 Vamwe vakanga vachida kumubata; asi kwakanga kusina wakaisa mavoko kwaari.

7:45b.JOH.007.045 Zvino vatariri vakavuya kuvaPirisita vakuru nokuvaFarise, ivo vakati kwavari: Makaregereiko kuvuya naye?

7:46b.JOH.007.046 Vatariri vakapindura, vakati: Hakuno munhu wakatongotaura somunhu uyu.

7:47b.JOH.007.047 Naizvozvo vaFarise vakavapindura, vakati: Nemi vo matsauswa kanhi?

7:48b.JOH.007.048 Kuvakuru nokuvaFarise kuno mumwe wakatongotenda kwaari here?

7:49b.JOH.007.049 Asi vanhu ava vasingazivi murairo, vakatukwa.

7:50b.JOH.007.050 Nikodimo, (uya akavuya kwaari, waiva mumwe wavo, akati kwavari:

7:51b.JOH.007.051 Murairo wedu unotonga munhu, usati wambomunzwa, nokuziva chaanoita here?

7:52b.JOH.007.052 Vakapindura, vakati kwaari: Ko newe vo uri weGarirea here? Nzvera,uvone kuti hakuno muporofita, unobva Garirea.

7:53b.JOH.007.053 [Ipapo mumwe nomumwe wakaenda kumba kwake.

8

8:1b.JOH.008.001 Jesu akaenda kugomo reMiorivhi.

8:2b.JOH.008.002 Mangwanani akadzokera zve kutembere, vanhu vose vakavuya kwaari; akagara pasi akavadzidzisa.

8:3b.JOH.008.003 Vanyori navaFarise vakavuya kwaari nomukadzi wakanga abatwa achifeva vakamuisa pakati pavo.

8:4b.JOH.008.004 Vakati kwaari: Mudzidzisi, mukadzi uyu wakabatwa achifeva, ipapo pamene.

8:5b.JOH.008.005 Zvino Mosesi wakatiraira pamurairo kuti vakadaro vatakwe namabwe; zvino imi munoti kudiniko?

8:6b.JOH.008.006 Vakareva izvozvo, vachimuidza, kuti vawane chavangamupomera mhosva nacho. Asi Jesu wakakotama, akanyora pasi nomunwe sousingavanzwi.

8:7b.JOH.008.007 Zvino ivo vakati vachiramba vachimubvunza, akakotoroka, akati kwavari:: Usine chivi pakati penyu, ngaatange kukanda ibwe kwaari.

8:8b.JOH.008.008 Akakotama zve, akanyora pasi.

8:9b.JOH.008.009 Zvino ivo vakati vachizvinzwa, hana dzavo dzikavarova, vakabuda mumwe-mumwe, kutanga vakuru kusvikira kuno wokupedzisira; Jesu akasara ari oga, nomukadzi wakanga amire pakati pavo.

8:10b.JOH.008.010 Jesu akakotoroka; zvino asingavoni munhu, asi mukadzi oga, akati kwaari, Mai, vaya vakupomera mhosva varipiko? Hakuna wakutonga here?

8:11b.JOH.008.011 Iye akati: Hakuna, Ishe! Jesu akati kwaari: Neni vo handikupi mhosva. Enda hako, usatadza zve.] Jesu chiedza chenyika.

8:12b.JOH.008.012 Zvino Jesu wakataura zve navo, akati: Ndini chiedza chenyika; unonditevera haangatongofambi murima, asi uchava nechiedza chovupenyu.

8:13b.JOH.008.013 Naizvozvo vaFarise vakati kwaari: Unozvipupurira iwe; kupupura kwako hakuzi kwazvokwadi.

8:14b.JOH.008.014 Jesu akapindura, akati kwavari: Kunyange ndichizvipupurira, kupupura kwangu ndokwazvokwadi; nokuti ndinoziva kwandakabva, nokwandinoenda; asi imi hamuzivi kwandakabva, nokwandinoenda.

8:15b.JOH.008.015 Imi munotonga nenyama; ini handitongi munhu.

8:16b.JOH.008.016 Asi kunyange ndichitonga, kutonga kwangu ndokwazvokwadi; nokuti handizi ndoga, asi ini naBaba vakandituma.

8:17b.JOH.008.017 Vuye mumurairo wenyu makanyorwa, kuti kupupura kwavanhu vaviri ndokwazvokwadi.

8:18b.JOH.008.018 Ndini unozvipupurira, naBaba vakandituma, vanondipupurira vo.

8:19b.JOH.008.019 Zvino vakati kwaari: Baba vako varipiko? Jesu akapindura, kati: Hamundizivi ini, kunyange naBaba vangu vo; dai maindiziva ini, maiziva vo naBaba vangu.

8:20b.JOH.008.020 Jesu wakataura mashoko awa pachivigiro chemari achidzidzisa mutembere; kwakanga kusinomunhu wakamubata, nokuti nguva yake yakanga isati yasvika.

8:21b.JOH.008.021 Zvino Jesu wakati zve kwavari: Ndinoenda, muchanditsvaka, mukafira muzvivi zvenyu; pandinoenda, imi hamungavuyipo.

8:22b.JOH.008.022 Zvino vaJudha vakati: Uchazvivuraya kanhi, zvaanoti: Pandinoenda, imi hamungavuyipo?

8:23b.JOH.008.023 Akati kwavari; Imi muri vapasi, ini ndiri wokumusoro; imi muri venyika ino, ini handizi wenyika ino.

8:24b.JOH.008.024 Naizvozvo ndakati kwamuri; Muchafira muzvivi zvenyu, nokuti kana musinganditendi, kuti ndini iye, muchafira muzvivi zvenyu.

8:25b.JOH.008.025 Zvino vakati kwaari: Iwe ndiwe aniko? Jesu akati kwavari: Izvo zvandinongoramba ndichikuvudzai kubva pakutanga.

8:26b.JOH.008.026 Ndine zvizhinji zvandinoda kureva nokutonga pamusoro penyu; asi wakandituma ndowazvokwadi;izvo zvandakanzwa kwaari, ndizvo zvandinovudza nyika.

8:27b.JOH.008.027 Asi havana kunzwisisa kuti unovavudza zvaBaba.

8:28b.JOH.008.028 Naizvozvo Jesu akati: Kana masimudza Mwanakomana womunhu, ipapo muchaziva kuti ndini iye, vuye kuti ini handiiti chinhu ndimene, asi ndinoreva I zvozvo zvandakadzidziswa naBaba.

8:29b.JOH.008.029 Wakandituma uneni. Haana kundisiya ndiri ndoga; nokuti ini ndinoita nguva dzose zvinomufadza.

8:30b.JOH.008.030 Wakati areva izvozvo, vazhinji vakatenda kwaari.

8:31b.JOH.008.031 Zvino Jesu wakati kuvaJudha avo, vakanga vamutenda: Kana imi muchigara mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo,

8:32b.JOH.008.032 Muchaziva zvokwadi, nezvokwadi ichakusunungurai.

8:33b.JOH.008.033 Vakamupindura, vakati: Tiri vorudzi rwaAbhurahamu isu, hatina kutongova varanda vomunhu; zvino iwe ungareva seiko kuti muchasunungurwa?

8:34b.JOH.008.034 Jesu akapindura, akati; Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mumwe nomumwe unoita zvivi, ndiye muranda wezvivi.

8:35b.JOH.008.035 Muranda haagari mumba nokusingaperi; mwanakomana ndiye unogara nokusingaperi.

8:36b.JOH.008.036 Naizvozvo kana Mwanakomana achikusunugurai, muchava vakasununguka kwazvo.

8:37b.JOH.008.037 Ndinoziva kuti muri rudzi rwaAbhurahamu; asi munotsvaka kundivuraya, nokuti shoko rangu hariendeki mukati menyu.

8:38b.JOH.008.038 Ini ndinoreva izvo zvandakanzwa kunaBaba vangu; imi munoita izvo zvamakanzwa kunababa venyu.

8:39b.JOH.008.039 Vakapindura, vakati kwaari: Baba vedu ndiAbhurahamu. Jesu akati kwavari: Dai maiva vana vaAbhurahamu, maiita mabasa aAbhurahamu.

8:40b.JOH.008.040 Asi zvino munotsvaka kundivuraya, ini munhu wakakuvudzai zvokwadi, yandakanzwa kunaMwari. Abhurahamu haana kuita izvozvo.

8:41b.JOH.008.041 Imi munoita mabasa ababa venyu, Vakati kwaari: Hatina kuberekwa novupombwe; tinababa vamwe, iye Mwari.

8:42b.JOH.008.042 Jesu akati kwavari: Dai Mwari aiva baba venyu, maindida ini; nokuti ndakabuda, ndikabva kunaMwari. Nokuti handina kuzvivuyira ini ndimene, asi ndiye wakandituma.

8:43b.JOH.008.043 Hamunzwisisi seiko kutaura kwangu? Nokuti hamugoni kunzwa shoko rangu.

8:44b.JOH.008.044 Imi muri vababa venyu Dhiabhorosi munoda kuita kuda kwakaipa, kwababa venyu iye wakanga ari muvurai kubva pakutanga, haamiri muzvokwadi, nokuti maari hamuna zvokwadi. Kana achireva nhema, unoreva zvake nokuti ndiye wenhema vuye baba vadzo.

8:45b.JOH.008.045 Asi ini, ndinoreva zvokwadi, hamunditendi.

8:46b.JOH.008.046 Ndianiko kwamuri unganditendisa kuti ndinezvivi? Kana ndichireva zvokwadi, munoregereiko kunditenda?

8:47b.JOH.008.047 Uyo uri waMwari, unonzwa mashoko aMwari; imi hamunzwi nemhaka iyi, nokuti hamuzati muri vaMwari.

8:48b.JOH.008.048 VaJudha vakapindura, vakati kwaari: Hatina kureva kwazvo here, tichiti: Uri muSamaria, unomweya wakaipa?

8:49b.JOH.008.049 Jesu akapindura, akati: Handino mweya wakaipa, asi ndinokudza baba vangu, zvino imi mondizvidza.

8:50b.JOH.008.050 Ini handitsvaki kuti ndikudzwe; uriko mumwe unozvitsvaka, achitonga..

8:51b.JOH.008.051 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haatongovoni rufu.

8:52b.JOH.008.052 VaJudha vakati kwaari: Tinoziva zvino kuti unomweya wakaipa; Abhurahamu wakafa, navaporofita vo; zvino iwe unoti: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongovoni rufu.

8:53b.JOH.008.053 Ko iwe uri mukuru kunaBaba vedu Abhurahamu, vakafa, kanhi navaporofita vakafa? Unozviita aniko?

8:54b.JOH.008.054 Jesu akapindura, akati: Kana ini ndichizvikudza, kuzvikudza kwangu hakuna maturo; unondikudza ndivo baba, avo vamunoti ndiMwari wenyu.

8:55b.JOH.008.055 Hamuna kuvaziva semi, asi ini ndinovaziva; kana ini ndikati handivazivi, ndava murevi wenhema semi; asi ndinovaziva ini, ndinochengeta shoko ravo.

8:56b.JOH.008.056 Abhurahamu, baba venyu, vakafara, vachiti vachavona zuva rangu; vakarivona, vakafara.

8:57b.JOH.008.057 Ipapo vaJudha vakati kwaari: Iwe ugere kusvika makore anamakumi mashanu, wakavona Abhurahamu here?

8:58b.JOH.008.058 Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Abhurahamu asati avapo, ini ndiripo,

8:59b.JOH.008.059 vakanonga mabwe kuti vamutake nawo; asi Jesu wakazvivanza, akabuda mutembere.

9

9:1b.JOH.009.001 Jesu wakati achipfuvura, akavona munhu wakanga ari bofu kubva pakuberekwa kwake.

9:2b.JOH.009.002 Vadzidzi vake vakamubvunza, vachiti: Rabhi, ndianiko wakatadza, uyu kana vabereki vake, zvaakaberekwa riri bofu?

9:3b.JOH.009.003 Jesu akapindura, akati: Uyu haana kutadza, kunyange navabereki vake; asi izvi zvakaitwa kuti mabasa aMwari avoneswe maari.

9:4b.JOH.009.004 Ndinofanira kubatebasa rowakandituma, achiri masikati; vusiku bwunovuya, bwusingagoni munhu kubate basa nabwo.

9:5b.JOH.009.005 Kana ndichiri panyika, ndiri chiedza chenyika.

9:6b.JOH.009.006 Wakati areva izvozvo, akapfira mate pasi, akakanya dope namate, akazodza dope rawo pameso ake,

9:7b.JOH.009.007 akati kwaari: Enda undoshamba mudziva reSiroami, (ndokuti, kana zvichishandurwa, Kutumwa), Ipapo akaenda, akandoshamba, akadzoka achivona.

9:8b.JOH.009.008 Vakanga vagere naye, navaimuvona kare, kuti ndiye waikumbira, vakati: Ko uyu haazi iye waigara achikumbira here?

9:9b.JOH.009.009 Vamwe vakati: Ndiye; vamwe vakati: Kwete, asi wakatodzana naye. Iye akati: Ndini.

9:10b.JOH.009.010 Zvino vakati kwaari: Meso ako akasvinudzwa seiko?

9:11b.JOH.009.011 Akapindura, akati: Munhu unonzi Jesu wakakanya dope, akazodza meso angu, akati kwandiri: Enda kudziva reSiroami, undoshamba; naizvozvo ndikaenda, ndikashamba, ndikavona.

9:12b.JOH.009.012 Vakati kwaari: Iye uripiko? Akati: Handizivi.

9:13b.JOH.009.013 Vakamuisa kuvaFarise, iye wakanga ari bofu kare.

9:14b.JOH.009.014 Zvino raiva sabata zuva iro Jesu raakakanya dope naro, akasvinudza meso ake.

9:15b.JOH.009.015 Zvino vaFarise vakamubvunza zve, kuti wakavoneswa sei. Akati kwavari: Waisa dope pameso angu, ndikandoshamba, ndikavona.

9:16b.JOH.009.016 Zvino vamwe vavaFarise vakati: Munhu uyu haazi waMwari, nokuti haachengeti sa bata. Asi vamwe vakati: Ko munhu mutadzi ungaita seiko zviratidzo zvakadai? Ipapo kupesana kwakamuka pakati pavo.

9:17b.JOH.009.017 Zvino vakati zve kubofu; Iwe unoti kudiniko pamusoro pake, zvaakasvinudza meso ako? Akati: Muporofita.

9:18b.JOH.009.018 Naizvozvo vaJudha havanakutenda pamusoro pake, kuti wanga ari bofu, akazovona, kusvikira vadana vabereki vowakavoneswa.

9:19b.JOH.009.019 vakavabvunza, vachiti: Uyu ndiye mwanakomana wenyu, wamunoti wakaberekwa riri bofu here? Zvino unogovona seiko?

9:20b.JOH.009.020 Vabereki vake vakapindura, vakati: Tinoziva kuti uyu mwanakomana wedu, vuye kuti wakaberekwa riri bofu;

9:21b.JOH.009.021 asi hatizivi kuti zvino wovona sei; nowakasvinudza meso ake, hatimuzivi; mubvunzei henyu; waaruka, uchazvirevera hake.

9:22b.JOH.009.022 Vabereki vake vakareva izvozvo, nokuti vaitya vaJudha, nokuti vaJudha vakanga vatotenderana, kuti kana kuno munhu unotenda kuti ndiye Kristu, abudiswe musinagoge.

9:23b.JOH.009.023 Naizvozvo.akati: Waaruka hake, mubvunzei henyu.

9:24b.JOH.009.024 Zvino vakamudana zve rwechipri,iye munhu wakanga ari bofu, vakati kwaari: Rumbidza Mwari; isu tinoziva kuti munhu uyu mutadzi.

9:25b.JOH.009.025 Ipapo iye akapindura, akati: Kana ari mutadzi ini handizivi; ndinoziva chinhu chimwe, kuti ndaiva bofu, zvino ndovona.

9:26b.JOH.009.026 Ipapo vakati kwaari: Wakakuiteiko? Wakasvinudza meso ako sei?

9:27b.JOH.009.027 Akavapindura, akati: ndatokuvudzai, mukasanzwa. Munoda kunzwa zve nemhaka yeiko? Nemi munoda kuva vadzidzi vake vo kanhi?

9:28b.JOH.009.028 Vakamutuka, vachiti: Iwe ndiwe mudzidzi wake, asi isu tiri vadzidzi vaMosesi.

9:29b.JOH.009.029 Tinoziva kuti Mwari wakataura naMosesi; asi uyu hatizivi kwaakabva.

9:30b.JOH.009.030 Iye munhu akapindura, akati kwavari: Nyambere chinhu ichi chinoshamisa, kuti imi hamuzivi kwaanobva, kunyange zvakadaro wakasvinudza meso angu.

9:31b.JOH.009.031 Tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi; asi kana munhu achishumira Mwari, achiita kuda kwake, unomunzwa iye.

9:32b.JOH.009.032 Kubvira pakutanga hakuna kumbonzwika, kuti mumwe wakasvinudza meso omunhu wakaberekwa riri bofu.

9:33b.JOH.009.033 Dai uyu asati ari waMwari, haazaigona kuita chinhu.

9:34b.JOH.009.034 Vakapindura, vakati kwaari: Iwe wakaberekerwa kwazvo muzvivi, zvino iwe wotidzidzisa su? Vakamudzingira kunze.

9:35b.JOH.009.035 Jesu akanzwa kuti vamudzingira kunze; akati amuwana, akati kwaari: Iwe unotenda kuMwanakomana waMwari here

9:36b.JOH.009.036 Akapindura, akati: Iye ndianiko Ishe, kuti nditende kwaari?

9:37b.JOH.009.037 Jesu akati kwaari: Wamuvona, vuye, ndiye unotaura newe.

9:38b.JOH.009.038 Ipapo akati: Ndinotenda, Ishe. Akamunamata.

9:39b.JOH.009.039 Jesu akati: Kutonga ndiko kwandakavuyira panyika ino, kuti vasingavoni, vavone; navanovona vave mapofu.

9:40b.JOH.009.040 Avo vavaFarise vaiva naye, vakazvinzwa, vakati kwaari: Ko nesu vo tiri mapofu here?

9:41b.JOH.009.041 Jesu akati kwavari: dai maiva mapofu, hamuzaiva nezvivi, asi zvino munoti: Tinovona; zvivi zvenyu zvinoramba zviripo.

10

10:1b.JOH.010.001 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Usingapindi nomukova mudanga ramakwai, asi unokwira nokumwe, imbavha negororo.

10:2b.JOH.010.002 Asi unopinda napamukova, ndiye mufudzi wamakwai.

10:3b.JOH.010.003 Murindi womukova unomuzarurira iye, makwai anonzwa inzwi rake, unodana makwai ake namazita awo, nokuakokera kunze.

10:4b.JOH.010.004 Kana abudisa makwai ake ose, unoatungamirira; makwai anomutevera, nokuti anoziva inzwi rake.

10:5b.JOH.010.005 Asi mweni haangatongomuteveri, asi anomutiza; nokuti haazivi inzwi ravaeni.

10:6b.JOH.010.006 Jesu akareva mufananidzo uyu kwavari, asi havana kunzwisisa, kuti zvaakavataurira ndezvei.

10:7b.JOH.010.007 Zvino Jesu akati kwavari zve: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ndini mukova wamakwai.

10:8b.JOH.010.008 Vose vakanditangira kuvuya, imbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa.

10:9b.JOH.010.009 Ndini mukova; kana munhu apinda neni, uchaponeswa, uchapinda, uchabuda, uchawana mafuro.

10:10b.JOH.010.010 Mbavha inongovuya, kuti ibe nokuvuraya nokuparadza. Ini ndakavuya, kuti ave novupenyu, vuye ave nobwakawanda.

10:11b.JOH.010.011 Ndini mufudzi wakanaka; mufudzi wakanaka unorashira makwai ake vupenyu bwake.

10:12b.JOH.010.012 Muranda, usati ari mufudzi wamakwai, makwai asati ari ake, unovona bere richivuya, unosiya makwai, ndokutiza; bere rinoabata, nokuaparadzira;

10:13b.JOH.010.013 Muranda unotiza:zvaari muranda haanehanya namakwai.

10:14b.JOH.010.014 Ndini mufudzi wakanaka, ndinoziva makwai angu, namakwai angu anondiziva ini,

10:15b.JOH.010.015 Baba sezvavanondiziva, saizvozvo nenivo ndinoziva Baba; ndinorashira makwai angu vupenyu bwangu.

10:16b.JOH.010.016 Namamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuvuya nawo vo, achanzwa inzwi rangu; richava boka rimwe, nomufudzi mumwe.

10:17b.JOH.010.017 Saka Baba vanondida, nokuti ndinorasha vupenyu bwangu, ndigobwutora zve.

10:18b.JOH.010.018 Hakuno munhu unganditorera ibwo; asi ndinobwurasha ndimene. Ndine simba rokubwurasha, vuye ndinesimba rokubwutora zve. Uyu murairo ndakaupiwa nababa vangu.

10:19b.JOH.010.019 Ipapo kupesana kukamuka zve pakati pavaJudha pamusoro pamashoko iwayo.

10:20b.JOH.010.020 Vazhinji vavo vakati: Unomweya wakaipa, unopenga; munomuterereiko?

10:21b.JOH.010.021 Vamwe vakati: Mashoko awa haasati ari omunhu wakabatwa nomweya wakaipa; ko mweya wakaipa ungagona kusvinudza meso amapofu here? Jesu unovudza vaJudha kuti ndiye Kristu.

10:22b.JOH.010.022 Yaiva nguva yomutambo wokuvandudzwa kwetembere paJerusarema; chaiva chando.

10:23b.JOH.010.023 Jesu akafamba mutembere pabiravira raSoromoni.

10:24b.JOH.010.024 Zvino vaJudha vakamukomba, vakati kwaari: Uchativetsa kusvikira riniko? Kana uri Kristu iwe, tivudze pachena.

10:25b.JOH.010.025 Jesu akavapindura akati: Ndakakuvudzai, mukasatenda. Mabasa andinoita nezita rababa, ndiwo anondipupurira ini.

10:26b.JOH.010.026 Asi imi hamutendi, sezvandakareva nokuti hamuzi vamakwai angu.

10:27b.JOH.010.027 Makwai angu anonzwa inzwi rangu; neni ndinoaziva, vuye anonditevera.

10:28b.JOH.010.028 Ndinoapa vupenyu bwusingaperi; haangafi nokusingaperi, vuye hakunomunhu ungaabvuta muruvoko rwangu.

10:29b.JOH.010.029 Baba vangu vakandipa iwo vakuru kunavose; hakuno munhu unogona kuabvuta muruvoko rwaBaba vangu.

10:30b.JOH.010.030 Ini naBaba vangu tiri mumwe.

10:31b.JOH.010.031 Zvino vaJudha vakanonga zve mabwe, kuti vamutake.

10:32b.JOH.010.032 Jesu akavapindura, akati: Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka akabva kunaBaba; munonditakira basa ripiko kuna iwayo?

10:33b.JOH.010.033 VaJudha vakamupindura, vakati: Hatikutakiri basa rakanaka; asi nokuti wamhura Mwari; uye nokuti iwe munhu unozviita Mwari.

10:34b.JOH.010.034 Jesu akavapindura, akati; Hazvina kunyorwa here mumurairo wenyu, zvichinzi: Ndakati: Muri vamwari?

10:35b.JOH.010.035 Zvino kana akavaidza vamwari, ivo shoko raMwari rakasvika kwavari, (Rugwaro harungaputswi);

10:36b.JOH.010.036 imi moti seiko kunaiye wakaitwa mutsvene naBaba, nokutumwa panyika: unomhura Mwari, zvandakati: Ndiri Mwanakomana waMwari?

10:37b.JOH.010.037 asi kana ndisingaiti mabasa aBaba vangu, regai kunditenda ini;

10:38b.JOH.010.038 asi kana ndichiaita, kunyange musinganditendi ini, tendai mabasa, kuti mugoziva, kuti Baba vari mandiri, neni ndiri mavari.

10:39b.JOH.010.039 Zvino vakatsvaka zve kumubata, asi iye wakapukunyuka pamavoko avo. Jesu unondogara mhiri kwaJoridani

10:40b.JOH.010.040 Zvino akaenda zve mhiri kwaJoridhani, paya paibhabhatidza Johane pakutanga; akagarapo,

10:41b.JOH.010.041 Vazhinji vakavuya kwaari, vakati: Johane haana kuita chiratidzo, asi zvose zvakareva Johane pamusoro pomurume uyu ndezvazvokwadi.

10:42b.JOH.010.042 Vazhinji vakatenda kwaari ipapo.

11

11:1b.JOH.011.001 Mumwe munhu wakanga achirwara, wainzi Razaro weBetania, musha waMaria nomukoma wake Marta.

11:2b.JOH.011.002 Ndiye Maria uya wakazodza Ishe namafuta, akapisika tsoka dzake nevhudzi rake; hanzvadzi yake Razaro, wakanga achirwara.

11:3b.JOH.011.003 Zvino hanzvadzi dzake dzakatuma shoko kwaari, dzichiti: Ishe, tarirai uyo unodikanwa nemi unorwara.

11:4b.JOH.011.004 Jesu wakati azvinzwa, akati: Kurwara uku hakuzi kwokufa, asi kuti Mwari akudzwe, noMwanakomana waMwari akudzwe vo nazvo.

11:5b.JOH.011.005 Jesu wakanga achida Marta, nomunununa wake, naRazaro.

11:6b.JOH.011.006 Zvino wakati anzwa kuti unorwara, akambogara mazuva maviri paakanga ari.

11:7b.JOH.011.007 Shure kwaizvozvo akati kuvadzidzi vake: Hendei zve Judhea,

11:8b.JOH.011.008 Vadzidzi vakati kwaari: Rabhi, vaJudha vakanga vachikutsvakai ikozvino, kuti vakutakei namabwe; zvino moenda zve ikoko here?

11:9b.JOH.011.009 Jesu akapindura, akati: Nguva hadzizi gumi nembiri pazuva here? Kana munhu achifamba masikati, haagumburwi, nokuti unovona chiedza chenyika ino.

11:10b.JOH.011.010 Asi kana munhu achifamba vusiku, unogumburwa, nokuti hakunechiedza maari.

11:11b.JOH.011.011 Ndizvozvo zvaakareva akazoti kwavari; Razaro, hama yedu, wavata; asi ndinoenda, kuti ndimumutse pahope.

11:12b.JOH.011.012 Zvino vadzidzi vakati kwaari: Ishe, kana achivata, uchanaya.

11:13b.JOH.011.013 Jesu wakanga areva kufa kwake, asi ivo vakanga vachiti,unoreva kuvata hope.

11:14b.JOH.011.014 Ipapo Jesu akavavudza pachena: Razaro wafa.

11:15b.JOH.011.015 Ndinofara nokuda kwenyu, kuti ndakanga ndisipo, kuti mugotenda; asi zvino hendei kwaari.

11:16b.JOH.011.016 Ipapo Tomasi, wainzi Dhidhimo, akati kuna vamwe vadzidzi: Hendei nesu vo, kuti tindofa naye.

11:17b.JOH.011.017 Zvino Jesu wakati achisvika, akamuwana atovamubwiro mazuva mana.

11:18b.JOH.011.018 Betania rakanga riri pedo neJerusarema, mastadia anenge gumi namashanu*;

11:19b.JOH.011.019 vazhinji vavaJudha vakanga vavuya kunaMarta naMaria, kuti vavabate ruvoko pamusoro pehanzvadzi yavo.

11:20b.JOH.011.020 Zvino Marta wakati achinzwa kuti Jesu wovuya, akaenda kundomuchingamidza; asi Maria wakagara mumba.

11:21b.JOH.011.021 Marta akati kuna Jesu: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.

11:22b.JOH.011.022 Kunyange zvino ndinoziva, kuti zvose zvamunokumbira kunaMwari, Mwari uchakupai.

11:23b.JOH.011.023 Jesu akati kwaari: Hanzvadzi yako ichamuka zve.

11:24b.JOH.011.024 Marta akati kwaari: Ndinoziva kuti uchamuka zve pakumuka kwavakafa nezuva rokupedzisira.

11:25b.JOH.011.025 Jesu akati kwaari: Ndini kumuka novupenyu; unotenda kwandiri, kunyange akafa, uchararama.

11:26b.JOH.011.026 Mumwe nomumwe uri mupenyu; unotenda kwandiri, haangatongofi. Unotenda izvozvo here?

11:27b.JOH.011.027 Akati kwaari: Hongu, Ishe, ndinotenda kuti ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari, uyo wainzi unovuya panyika.

11:28b.JOH.011.028 Wakati areva izvozvo, akandodana Maria, munununa wake, akati kwaari vari voga: Mudzidzisi wasvika, unokudana.

11:29b.JOH.011.029 Iye wakati achizvinzwa, akakurumidza kusimuka, akaenda kwaari.

11:30b.JOH.011.030 (Zvino Jesu wakanga asati asvika pamusha, asi wakanga achiri paya paakachingamidzwa naMarta.)

11:31b.JOH.011.031 Zvino vaJudha, vakanga vari mumba naye vachimubata ruvoko, vakati vachivona Maria achikurumidza kusimuka achibuda, vakamutevera, vachiti, unoenda kubwiro kundochemako.

11:32b.JOH.011.032 Zvino Maria wakati achisvika kunaJesu, achimuvona, akawira pasi patsoka dzake akati kwaari: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.

11:33b.JOH.011.033 Zvino Jesu wakati achimuvona achichema, navaJudha vakanga vavuya naye, vachichema vo, akafa neshungu mumweya, akatambudzika.

11:34b.JOH.011.034 akati: Mamuisepiko? Vakati kwaari: Ishe, vuyai, muvone.

11:35b.JOH.011.035 Jesu akachema misodzi.

11:36b.JOH.011.036 Ipapo vaJudha vakati: Tarirai, waimuda sei!

11:37b.JOH.011.037 Asi vamwe vavo vakati: Uyu wakasvinudza meso ebofu, haazaigona kudzivisa kuti uyu munhu arege kufa here.

11:38b.JOH.011.038 Ipapo Jesu akafa zve neshungu mukati make, akasvika pabwiro. Iro raiva bako, nebwe rakanga riri pamusoro paro.

11:39b.JOH.011.039 Jesu akati: Bvisai ibwe! Marta, hanzvadzi yowakafa, akati kwaari: Ishe, wotonhuwa zvino, nokuti wava namazuva mana okufa kwake.

11:40b.JOH.011.040 Jesu akati: kwaari Handina kukuvudza here, kuti kana ukatenda, uchavona kubwinya kwaMwari?

11:41b.JOH.011.041 Ipapo vakabvisa ibwe. Kubva panzvimbo paakanga aiswa akafa. Zvino Jesu akatarira kudenga, akati: Baba, ndinokuvongai, nokuti mandinzwa.

11:42b.JOH.011.042 Asi ndakanga ndichiziva kuti munosindinzwa nguva dzose; asi ndakazvireva nokuda kwavazhinji vakandikomba, kuti vatende kuti makandituma.

11:43b.JOH.011.043 Wakati areva izvozvo, akadanidzira nenzwi guru, akati: Razaro, buda!

11:44b.JOH.011.044 Wakanga afa akabuda, akapombwa makumbo namavoko nemicheka yobwiro, nechiso chake chakapombwa nomucheka, Jesu akati kwavari: Mumusunungurei, aende.

11:45b.JOH.011.045 Naizvozvo vazhinji vavaJudha, vakanga vavuya kunaMaria, vakati vavona zvaitwa naJesu, vakatenda kwaari.

11:46b.JOH.011.046 Asi vamwe vavo vakaenda kuvaFarise, vakandovavudza zvakanga zvaitwa naJesu.

11:47b.JOH.011.047 Naizvozvo vaPirisita vakuru navaFarise vakavunganidza makurukota, vakati: Todiniko? Nokuti uyu unoita zviratidzo zvizhinji.

11:48b.JOH.011.048 Kana tikamurega achidaro, vanhu vose vachatenda kwaari; navaRoma vachavuya vakatitorera nzvimbo yedu norudzi rwedu.

11:49b.JOH.011.049 Zvino mumwe wavo, Kayafasi, wakanga ari muPirisita mukuru gore iro, akati kwavari: Hamuzivi chinhu, imi,

11:50b.JOH.011.050 vuye hamurangariri kuti zvirinani kwamuri, kuti munhu mumwe afire vanhu, rudzi rwose rurege kufa.

11:51b.JOH.011.051 Haana kureva izvozvo pachake, asi zvaakanga ari muPirisita mukuru gore iro, wakaporofita kuti Jesu waifanira kufira rudzi;

11:52b.JOH.011.052 rusati ruri rudzi rwoga, asi kuti avunganidze pamwe chete vana vaMwari vakapararira.

11:53b.JOH.011.053 Zvino kubva pazuva iro vakarangana, kuti vamuvuraye.

11:54b.JOH.011.054 Naizvozvo Jesu haana kuzofamba pachena pakati pavaJudha, asi wakabvapo. Akaenda kunyika iri pedo nerenje, kuguta rainzi Efraimi; akagarako navadzidzi vake.

11:55b.JOH.011.055 Zvino paseka yavaJudha yakanga yava pedo, vanhu vazhinji venyika iyo vakakwira Jerusarema, paseka isati yasvika, kuti vazvinatse.

11:56b.JOH.011.056 Zvino vakatsvaka Jesu, vakataurirana vamire mutembere, vachiti: Munoti kudiniko? Munoti hangavuyi kumutambo here?

11:57b.JOH.011.057 Zvino vaPirisita vakuru navaFarise vakanga varaira, kuti, aninani kana achiziva kwaari, avazivise, kuti vandomubata.

12

12:1b.JOH.012.001 Zvino mazuva matanhatu paseka ichigere kusvika, Jesu wakasvika Betania, paiva naRazaro, wakanga afa waakamutsa kuvakafa.

12:2b.JOH.012.002 Vakamuitirapo chirayiro; Marta akavashandira; naRazaro wakanga ari mumwe wavakanga vagere naye pakudya.

12:3b.JOH.012.003 Zvino Maria akatora paundi yamafuta enardo, anomutengo mukuru, akazodza tsoka dzaJesu, akapisika tsoka dzake nevhudzi rake; imba ikazadzwa nokunhuwira kwamafuta.

12:4b.JOH.012.004 Ipapo mumwe wavadzidzi vake, Judhasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni wakanga achazomupandukira, akati:

12:5b.JOH.012.005 Mafuta awa akaregereiko kutengeswa namadhenari mazana matatu,* akapiwa varombo?

12:6b.JOH.012.006 Asi haana kureva izvozvo kuri kuti wakarangarira varombo, asi nokuti waiva mbavha; waigara nechikwama, achisiba zvaiiswamo.

12:7b.JOH.012.007 Asi Jesu wakati: Muregei, akadaro wazviitira kuvigwa kwangu.

12:8b.JOH.012.008 Nokuti varombo munavo nguva dzose; asi ini hamuneni nguva dzose.

12:9b.JOH.012.009 Zvino vanhu vazhinji-zhinji vavaJudha vakanzwa kuti uripo; vakavuya,, asi havana kuvuya nokuda kwaJesu bedzi, asi kuti vavone vo Razaro, waakanga amutsa kuvakafa.

12:10b.JOH.012.010 Asi vaPirisita vakuru vakarangana kuti vavuraye naRazaro vo,

12:11b.JOH.012.011 nokuti nokuda kwake vaJudha vazhinji vakanga vachibva kwavari, vachitenda kunaJesu. Jesu unogamuchirwa paJerusarema. (Mat. 21.1-11; Mar. 11. 1-10; Ruka 19. 29-38.)

12:12b.JOH.012.012 Zvino ava mangwana vanhu vazhinji-zhinji, vakanga vavuya kumutambo, vakati vanzwa kuti Jesu, wovuya Jerusarema,

12:13b.JOH.012.013 vakatora mashizha emichindwe, vakabuda kundomuchingamidza, vakadanidzira, vachiti: Hosana! Ngaarumbidzwe unovuya muzita raShe Mambo wavaIsraeri.

12:14b.JOH.012.014 Jesu akati awana mwana wembongoro, akagara pamusoro payo, sezvazvakanyorwa, zvichinzi:

12:15b.JOH.012.015 Usatya, mukunda weZiyoni; tarira Mambo wako unovuya, agere pamusoro pemhuru yembongoro.

12:16b.JOH.012.016 Vadzidzi vake havana kunzwisisa izvozvi pakutanga; asi Jesu wakati akudzwa, vakazorangarira, kuti izvozvo zvakanga zvanyorwa pamusoro pake, vuye kuti vakanga vamuitira izvozvo.

12:17b.JOH.012.017 Zvino vanhu vazhinji vaiva naye pakudana kwake Razaro kuti abve mubwiro, nokumumutsa kuvakafa, vakapupura,

12:18b.JOH.012.018 Saka vazhinji vakamuchingamidza vo, nokuti vakanga vanzwa, kuti wakaita chiratidzo ichecho.

12:19b.JOH.012.019 Ipapo vaFarise vakataurirana, vachiti: Munovona henyu kuti hamugoni kuita chinhu; tarirai, nyika yose yamutevera. Jesu unovavudza zvorufu rwake nokukudzwa kwake.

12:20b.JOH.012.020 Zvino kwaiva navamwe vaGiriki pakati pavakanga vakwira kumutambo kundonamatako;

12:21b.JOH.012.021 ivo vakavuya kunaFiripo weBetsaida reGarirea, vakakumbira kwaari, vachiti: Ishe, tinoda kuvona Jesu.

12:22b.JOH.012.022 Firipo akaenda, akandovudza Andreasi; Andreasi akaenda naFiripo, vakandovudza Jesu.

12:23b.JOH.012.023 Jesu akavapindura, akati: Nguva yasvika, kuti Mwanakomana womunhu akudzwe.

12:24b.JOH.012.024 Zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana tsanga yezviyo ikasawira muvhu, ikafa, ichagara iri yoga; asi kana ikafa, inobereka zvibereko zvizhinji.

12:25b.JOH.012.025 Unoda vupenyu bwake, ucharashikirwa nabwo; nounovenga vupenyu bwake panyika ino, uchabwuchengeta kuvupenyu bwusingaperi.

12:26b.JOH.012.026 Kana munhu achindishumira, ngaanditevere; napandinenge ndiri, nomuranda wangu uchavapo vo. Kana munhu achindishumira, Baba vachamukudza.

12:27b.JOH.012.027 Zvino mweya wangu unomanikidzwa; ndichatiyiko? Baba ndiponesei panguva ino. Asi ndizvo zvandavuyira panguva ino.

12:28b.JOH.012.028 Baba, kudzai zita renyu, Ipapo inzwi rakavuya, richibva kudenga, richiti: Ndatorikudza, ndicharikudza zve.

12:29b.JOH.012.029 Zvino vanhu vazhinji, vakanga vamirepo, vachizvinzwa, vakati: Kwatinhira. Vamwe vakati: Mutumwa wataura naye.

12:30b.JOH.012.030 Jesu akapindura, akati: Inzwi iri harina kuvuya nokuda kwangu, asi nokuda kwenyu.

12:31b.JOH.012.031 Zvino kutongwa kwenyika ino kwavapo, zvino muchinda wenyika ino uchadzingwa.

12:32b.JOH.012.032 Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndichakwevera vose kwandiri.

12:33b.JOH.012.033 Wakareva izvozvi, achiratidza kufa, kwaaizofa nako.

12:34b.JOH.012.034 Zvino vanhu vazhinji vakamupindura, vachiti: Isu takanzwa pamurairo kuti Kristu uchagara nokusingaperi; zvino moreva seiko imi, kuti Mwanakomana womunhu unofanira kusimudzwa? Uyu Mwanakomana womunhu ndianiko?

12:35b.JOH.012.035 Ipapo Jesu akati kwavari: Chiedza chichipo pakati penyu chinguva chiduku. Fambai muchine chiedza, kuti murege kukundwa nerima; unofamba murima haazivi kwaanoenda,

12:36b.JOH.012.036 Muchinechiedza, tendai kuchiedza, mugoitwa vana vechiedza. Jesu wakareva izvozvi, akabva, akazvivanza kwavari.

12:37b.JOH.012.037 Zvino kunyange akanga aita zviratidzo zvizhinji zvakadaro pamberi pavo, havana kutenda kwaari;

12:38b.JOH.012.038 kuti shoko romuporofita Isaya riitike, raakareva, achiti: Ishe, ndianiko wakatenda chavakanzwa kwatiri? Noruvoko rwaShe rwakaratidzwa kunaniko?

12:39b.JOH.012.039 Saka vakanga vasingagoni kutenda, nokuti Isaya wakati zve:

12:40b.JOH.012.040 Wakapofumadza meso avo, akawomesa moyo yavo; Kuti varege kuvona nameso avo, nokunzwisisa nemoyo yavo, Vadzoke,Ndivaporese.

12:41b.JOH.012.041 Isaya wakareva izvozvi, paakavona kubwinya kwake; akamureva iye.

12:42b.JOH.012.042 Asi kunyange zvakadaro vazhinji vavabati vakatenda kwaari; asi vakanga vasingamupupuri nokuda kwavaFarise, kuti varege kubudiswa musinagoge;

12:43b.JOH.012.043 nokuti vakanga vachida kukudzwa navanhu kupfuvura kukudzwa naMwari.

12:44b.JOH.012.044 Zvino Jesu akadana, akati: Unotenda kwandiri, haatendi kwandiri, asi kuno wakandituma.

12:45b.JOH.012.045 Zvino Jesu wakadanidzira akati: Unondivona, unovona wakandituma.

12:46b.JOH.012.046 Ini ndakavuya munyika, ndiri chiedza, kuti aninani unotenda kwandiri arege kugara murima.

12:47b.JOH.012.047 Kana munhu achinzwa mashoko angu, akasaachengeta, handimutongi ini, nokuti handina kuvuya kuzotonga nyika, asi kuti ndiponese nyika.

12:48b.JOH.012.048 Unondiramba, asingagamuchiri mashoko angu, unomumwe, unomutonga; shoko randakareva ndiro richamutonga nezuva rokupedzisira.

12:49b.JOH.012.049 Nokuti handina kureva pachangu, asi Baba, vakandituma, ndivo vakandipa murairo, zvandichareva nezvandichataura.

12:50b.JOH.012.050 Ndinoziva kuti murairo wavo ndibwo vupenyu bwusingaperi; naizvozvi zvandinotaura, ndinotaura sezvandakavudzwa naBaba.

13

13:1b.JOH.013.001 Zvino mutambo wepaseka usati wasvika, Jesu woziva kuti nguva yake yasvika, kuti abve munyika ino, aende kunaBaba, zvaakanga aida vanhu vake vaiva munyika, wakavada kusvikira pakuguma.

13:2b.JOH.013.002 Zvino vakati vapedza kurayira, Dhiabhorosi atoisa mumoyo maJudhasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni, kuti amupandukire;

13:3b.JOH.013.003 Jesu achiziva kuti Baba vakamupa zvinhu zvose mumavoko ake, vuye kuti wakabva kuna Mwari vuye kuti anoenda kunaMwari;

13:4b.JOH.013.004 akasimuka pakurayira, akabvisa nguvo dzake, akatora mucheka, akazvisunga chivuno.

13:5b.JOH.013.005 Zvino akadira mvura mumudziyo, akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, akadzipisika nomucheka, waakanga akazvisunga nawo.

13:6b.JOH.013.006 Akasvika kunaSimoni Petro, iye akati kwaari: Ishe, imi moshambidza tsoka dzangu kanhi?

13:7b.JOH.013.007 Jesu akapindura, akati kwaari: Chandinoita hauchizivi zvino; asi uchazvinzwisisa pashure.

13:8b.JOH.013.008 Petro akati kwaari: Hamungatongoshambidzi tsoka dzangu nokusingaperi. Jesu akamupindura, akati: Kana ndisingakushambidzi, haunomugove neni.

13:9b.JOH.013.009 Simoni Petro akati kwaari, Dzirege kuva tsoka dzangu dzoga, asi mavoko angu nomusoro wangu vo.

13:10b.JOH.013.010 Jesu akati kwaari: Wakashambidzwa haashaiwi chinhu asi kushamba makumbo bedzi ipapo watonatswa iye wose. Imi makanaka asi hamuzi mose.

13:11b.JOH.013.011 Nokuti wakanga achiziva uyo waizomupandukira, saka akati: Hamuna kunaka mose.

13:12b.JOH.013.012 Zvino wakati ashambidza tsoka dzavo, akatora nguvo dzake, akagara zve, akati kwavari: Munoziva zvandakakuitirai here?

13:13b.JOH.013.013 Munondiidza Mudzidzisi, vuye Ishe; munoreva zvakanaka, nokuti ndini iye.

13:14b.JOH.013.014 Zvino kana ini, Ishe noMudzidzisi, ndakashambidza tsoka dzenyu, nemi vo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.

13:15b.JOH.013.015 Ndikakuratidzai makwara kuti muite imi sezvandakakuitirai ini.

13:16b.JOH.013.016 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Muranda haazi mukuru kuna She wake vuye wakatumwa Haazi mukuru kuno wakamutuma.

13:17b.JOH.013.017 Kana muchizviziva izvi, makaropafadzwa kana muchizviita.

13:18b.JOH.013.018 Handirevi imi mose; ini ndinoziva avo vandakasanagura; asi kuti Rugwaro ruitike, runoti: Unodya chingwa neni, akandisimudzira chitsitsinho chake.

13:19b.JOH.013.019 Kubva zvino ndinokuvudzai zvisati zvaitika, kuti kana zvichiitwa, mugotenda kuti ndini.

13:20b.JOH.013.020 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti, kwamuri: Unogamuchira wandinotuma, unogamuchireni, nounondigamuchira ini, unogamuchira wakandituma. Jesu unovavudza kuti Judhasi unomupandukira. (Mat 26. 20-25; Mar. 14. 17-21; Ruka 22. 21-22.)

13:21b.JOH.013.021 Zvino Jesu wakati areva kudaro, akamanikidzwa mumweya, akapupura, akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mumwe wenyu uchandipandukira.

13:22b.JOH.013.022 Vadzidzi vakatarirana, vasingazivi kuti wareva ani.

13:23b.JOH.013.023 Zvino mumwe wavadzidzi vake wakanga akasendamira pachifuva chaJesu, waidikanwa naJesu.

13:24b.JOH.013.024 Simoni Petro akamuninira, akati kwaari: Tivudzei kuti ndianiko waanoreva.

13:25b.JOH.013.025 Iye akasendama pachifuva chaJesu akati kwaari: Ishe, ndianiko?

13:26b.JOH.013.026 Ipapo Jesu akapindura, akati: Ndiye wandichapa chimedu, kana ndachiseva. Zvino wakati aseva chimedu, akachitora, akapa Judhasi, mwanakomana waSimoni Iskarioti.

13:27b.JOH.013.027 Iye wakati agamuchira chimedu, Satani akapinda maari. Ipapo Jesu akati kwaari: Zvaunoita, ita uchikurumidza.

13:28b.JOH.013.028 Asi kwakanga kusinomumwe kuna vakanga vagere naye pakudya, wakaziva kuti wakareverei izvozvi kwaari.

13:29b.JOH.013.029 Vamwe vakanga vachiti, Judhasi zvaaigara anechikwama, kuti Jesu wakati kwaari: Tenga zvatinoda pamutambo; kana kuti ape varombo chinhu.

13:30b.JOH.013.030 Iye akati agamuchira chimedu, akabuda pakarepo; bwakanga bwuri vusiku.

13:31b.JOH.013.031 Zvino wakati abuda, Jesu akati: Zvino Mwanakomana womunhu wakudzwa, naMwari wakudzwa maari,.

13:32b.JOH.013.032 kana Mwari akudzwa maari, Mwari uchamukudza ari maari, uchamukudza pakarepo.

13:33b.JOH.013.033 Vana vaduku, ndichiri nemi chinguva chiduku; muchanditsvaka, asi sezvandakareva kuvaJudha, ndichiti: Pandinoenda, imi hamungavuyipo, saizvozvo zvino ndinoreva kwamuri vo.

13:34b.JOH.013.034 Ndinokupai murairo mutsva, wokuti mudane; sezvandakakudai imi, nemimudane vo saizvozvo.

13:35b.JOH.013.035 Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana munorudo pakati penyu.

13:36b.JOH.013.036 Simoni Petro akati kwaari: Ishe, munoende piko? Jesu akapindura, akati: Kwandinoenda, haunganditeveri zvino; asi uchanditevera pashure.

13:37b.JOH.013.037 Petro, akati kwaari: Ishe, handingakuteveriyi zvino neiko? Ndichakufirai ini.

13:38b.JOH.013.038 Jesu akapindura, akati: uchandifira here? zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwauri Jongwe haringariri, usati wandiramba katatu.

14

14:1b.JOH.014.001 Moyo yenyu irege kumanikidzwa; tendai kunaMwari, mutende vo kwandiri.

14:2b.JOH.014.002 Mumba maBaba vangu munenzvimbo zhinji dzokugara; dai kusaiva kudaro, ndingadai ndaikuvudzai; nokuti ndinoenda kundokugadzirirai pokugara.

14:3b.JOH.014.003 Kana ndaenda kundokugadzirirai pokugara, ndinozovuya zve, ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo pandiri, nemi mugovapo vo.

14:4b.JOH.014.004 Pandinoenda, munopaziva nenzira munoiziva.

14:5b.JOH.014.005 Tomasi akati kwaari: Ishe, hatizivi pamunoenda; nzira tingaiziva seiko?

14:6b.JOH.014.006 Jesu akati kwaari: Ndini nzira, nezvokwadi, novupenyu; hapana munhu unovuya kuna Baba, asi nokwandiri.

14:7b.JOH.014.007 Dai makanga muchindiziva, mungadai maiziva vo Baba vangu; kubva zvino munovaziva, makavaona.

14:8b.JOH.014.008 Firipo akati kwaari: Ishe, tiratidzei Baba, zvigotiringana.

14:9b.JOH.014.009 Jesu akati kwaari: Ndakava nemi nguva refu yakadai, ko hauzati wandiziva here, Firipo? Wandivona ini, wavona Baba; zvino unoreva seiko, uchiti: Tiratidzei Baba?

14:10b.JOH.014.010 Hautendi here kuti ndiri munaBaba, naBaba vari mandiri? Mashoko andinoreva kwamuri, handiarevi pachangu; asi Baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa avo.

14:11b.JOH.014.011 Nditendei kuti ndiri munaBaba, naBaba vari mandiri; kana kusikudaro, nditendei nokuda kwamabasa amene.

14:12b.JOH.014.012 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unotenda kwandiri mabasa andinoita, iye uchaaita vo, uchaita makuru kunawawa; nokuti ndinoenda kunaBaba vangu.

14:13b.JOH.014.013 Chinhu chipi nechipi chamunokumbira muzita rangu, ndichachiita, kuti Baba vakudzwe muMwanakomana.

14:14b.JOH.014.014 Kana muchikumbira chinhu kwandiri muzita rangu, ndichachiita.

14:15b.JOH.014.015 Kana muchindida, chengetai mirairo yangu.

14:16b.JOH.014.016 Neni ndichakumbira Baba, vachakupai mumwe Munyaradzi, kuti agare nemi nokusingaperi;

14:17b.JOH.014.017 ndiye Mweya wazvokwadi; nyika haigoni kumugamuchira, nokuti haimuvoni, kana kumuziva; imi munomuziva, nokuti ugere nemi, uchava mukati menyu.

14:18b.JOH.014.018 Handingakusiyiyi muri nherera; ndinovuya kwamuri.

14:19b.JOH.014.019 Kuchinenguva duku, nyika haichazondivoni; asi imi munondivona, nokuti ini ndiri mupenyu, nemivo muchava vapenyu.

14:20b.JOH.014.020 Nezuva iro muchandiziva, kuti ndiri muna baba, nemi mandiri, neni mamuri.

14:21b.JOH.014.021 Unemirairo yangu, akaichengeta,, ndiye unondida; unondida uchadikanwa naBaba vangu; neni ndichamuda vo, ndichazviratidza kwaari.

14:22b.JOH.014.022 Judhasi (usati ari iye Iskarioti) akati kwaari: Ishe, ndokudiniko kuti muchazviratidza kwatiri, musingazviratidzi kunyika?

14:23b.JOH.014.023 Jesu akapindura, akati kwaari: Kana munhu achindida, uchachengeta shoko rangu; naBaba vangu vachamuda, tichavuya kwaari, tikaita vugaro bwedu maari.

14:24b.JOH.014.024 Usingandidi, haachengeti mashoko angu; shoko ramunonzwa, arizi rangu, asi nderababa vakandituma.

14:25b.JOH.014.025 Zvinhu izvozvi ndakakuvudzai ndichigere nemi.

14:26b.JOH.014.026 Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, uchatumwa naBaba muzita rangu, iye uchakudzidzisai zvose, nokukuyevudzirai zvose, zvandakareva kwamuri.

14:27b.JOH.014.027 Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu handikupiyi sokupa kwenyika. Moyo yenyu irege kumanikidzwa, irege kutya.

14:28b.JOH.014.028 Makanzwa kuti ndakati kwamuri: Ndinoenda, ndigodzokera zve kwamuri. Dai maindida, mungadai maifara, nokuti ndinoenda kunaBaba; nokuti Baba vakuru kwandiri.

14:29b.JOH.014.029 Zvino ndakuvudzai zvisati zvaitika, kuti musi wazvinoitika mugotenda.

14:30b.JOH.014.030 Handichazotauri zvizhinji nemi, nokuti muchinda wenyika unovuya; asi haanechinhu kwandiri;

14:31b.JOH.014.031 asi kuti nyika izive kuti ndinoda Baba, vuye kuti sezvandakarairwa naBaba, ndizvo zvandinoita. Simukai, ngatibve pano.

15

15:1b.JOH.015.001 Ndini muzambiringa wazvokwadi, baba vangu ndivo murimi.

15:2b.JOH.015.002 Davi rimwe nerimwe riri mandiri, risingabereki zvibereko, vanoribvisa; rimwe nerimwe, rinobereka zvibereko. Vanorinatsa, kuti riwedzere zvibereko.

15:3b.JOH.015.003 Imi matonatswa neshoko randakareva kwamuri.

15:4b.JOH.015.004 Garai mandiri, neni mamuri. Sedavi risingagoni kubereka zvibereko roga, kana risingagari mumuzambiringa; saizvozvo nemi vo, kana musingagari mandiri.

15:5b.JOH.015.005 Ini ndiri muzambiringa, imi muri matavi. Unogara mandiri, neni maari, ndiye unobereka zvibereko zvakawanda; nokuti kunze kwangu hamugoni kuita chinhu.

15:6b.JOH.015.006 Kana munhu asingagari mandiri, unorashwa kunze sedavi, ndokuwoma; vano avunganidza, ndokuakandira mumoto, atsve.

15:7b.JOH.015.007 Kana muchigara mandiri, namashoko angu achigara mamuri, muchakumbira zvamunoda, muchazviitirwa.

15:8b.JOH.015.008 Baba vangu vanokudzwa naizvozvi, kuti mubereke zvibereko zvakawanda; vuye muchava vadzidzi vangu.

15:9b.JOH.015.009 Baba sezvavakandida, neni ndikakudai; garai murudo rwangu.

15:10b.JOH.015.010 Kana muchichengeta mirairo yangu, muchagara murudo rwangu, seni ndaichengeta mirairo yaBaba vangu, ndichigara murudo rwavo.

15:11b.JOH.015.011 Zvinhu izvozvi ndakazvitaura kwamuri, kuti mufaro wangu ugare mamuri, nomufaro wenyu uzadzike.

15:12b.JOH.015.012 Uyu ndiwo murairo wangu, kuti mudane, seni ndakakudai imi.

15:13b.JOH.015.013 Hakunomunhu unorudo rukuru kunourwu, kuti munhu arashire hama dzake vupenyu bwake.

15:14b.JOH.015.014 Imi muri hama dzangu, kana muchiita chipi nechipi chandokurairai.

15:15b.JOH.015.015 Handichakuidziyi varanda; nokuti muranda haazivi zvinoitwa nashe wake, asi ndinokuidzai hama; nokuti zvose zvandakanzwa kunaBaba vangu, ndakakuzivisai izvo.

15:16b.JOH.015.016 Imi hamuna kundisanangura, asi ini ndakakusanangurai imi, ndikakuisai kuti muende mubereke zvibereko, vuye kuti zvibereko zenyu zvigare; kuti chinhu chipi nechipi chamunenge muchikumbira kunaBaba muzita rangu, vakupei icho.

15:17b.JOH.015.017 Ndizvozvi zvandinokurairai, kuti mudane.

15:18b.JOH.015.018 Kana nyika ichikuvengai, muzive kuti yakandivenga ini, isati yakuvengai imi.

15:19b.JOH.015.019 Kana maiva venyika, nyika yaida vayo; zvino zvamusati muri venyika, asi ini ndikakusanangurai panyika, saka nyika inokuvengai.

15:20b.JOH.015.020 Rangarirai shoko randakareva kwamuri, ndichiti: Muranda haazi mukuru kunashe wake. Kana vakanditambudza ini, vachakutambudzai nemivo, kana vakachengeta shoko rangu vachachengeta nerenyu vo.

15:21b.JOH.015.021 Asi izvi zvose vachakuitirai nokuda kwezita rangu, nokuti havazivi vakandituma.

15:22b.JOH.015.022 Dai ndisina kuvuya, ndikataura navo, vangadai vasinezvivi; asi zvino havanepembedzo yezvivi zvavo.

15:23b.JOH.015.023 Unondivenga, unovenga naBaba vangu vo.

15:24b.JOH.015.024 Dai ndisina kuita pakati pavo mabasa asina kumboitwa nomumwe munhu, vangadai vasinezvivi; asi zvino vakavona, nokundivenga ini naBaba vangu.

15:25b.JOH.015.025 Asi zvakaitwa, kuti shoko rakanyorwa pamurairo wavo, riitike, rinoti: Vakandivenga ndisinemhosva.

15:26b.JOH.015.026 Kana Munyaradzi avuya, wandichatuma kwamuri, achibva kunaBaba, iye Mweya wazvokwadi, unobuda kunaBaba, uchandipupurira.

15:27b.JOH.015.027 Nemwi vo pupurai, nokuti maiva neni kubva pakutanga.

16

16:1b.JOH.016.001 Zvinhu izvi ndakakuvudzai, kuti murege kugumburwa.

16:2b.JOH.016.002 Vachakubudisai mumasinagoge; asi nguva inosvika, mumwe nomumwe wakakuvurayai, uchati unobatira Mwari basa.

16:3b.JOH.016.003 Zvinhu izvozvi vachazviita kwamuri,nokuti havana kuziva baba, kana ini.

16:4b.JOH.016.004 Asi ndakakuvudzai izvi, kuti kana nguva yazvo yasvika, mugozvirangarira, kuti ndakakuvudzai. Handina kukuvudzai izvi kubva pakutanga, nokuti ndaiva nemi.

16:5b.JOH.016.005 asi zvino ndinoenda kunowakandituma; hakunomumwe wenyu unondibvunza, achiti: Munoendepiko?

16:6b.JOH.016.006 Asi zvino moyo yenyu yafa neshungu zvandakakuvudzai izvi.

16:7b.JOH.016.007 Asi ini ndinokuvudzai zvokwadi, kana ndichiti; Zvirinani kwamuri, kuti ndiende, nokuti kana ndisingaendi, Munyaradzi haangavuyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.

16:8b.JOH.016.008 Iye kana asvika, uchazivisa nyika pamusoro pezvivi, napamusoro pokururama, napamusoro pokutongwa;

16:9b.JOH.016.009 pamusoro pezvivi, nokuti havatendi kwandiri;

16:10b.JOH.016.010 pamusoro pokururama, nokuti ndinoenda kunaBaba vangu hamungazondivoni;

16:11b.JOH.016.011 pamusoro pokutongwa, nokuti muchinda wenyika ino watongwa.

16:12b.JOH.016.012 Ndine zvizhinji zvandinoda kukuvudzai; asi hamugoni kuzvigamuchira zvino.

16:13b.JOH.016.013 Asi kana asvika, iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose; nokuti haangatauri zvake, asi zvaakanzwa, ndizvo zvaachataura, vuye uchakuparidzirai zvinovuya.

16:14b.JOH.016.014 Uchandikudza, nokuti uchatora pane zvangu, akakuparidzai izvo.

16:15b.JOH.016.015 Zvose Baba zvavanazvo, ndezvangu; naizvozvo ndakati: Uchatora pane zvangu, akaratidza kwamuri.

16:16b.JOH.016.016 Chinguva chiduku chasara, hamuchazondivoni; vuye zve chinguva chiduku, muchandivona nokuti ndinoenda kunaBaba.

16:17b.JOH.016.017 Zvino vamwe vavadzidzi vake vakataurirana,vachiti: Chinyiko ichi chaanoreva kwatiri, kuti: Chinguva chiduku chasara, hamuchazondivoni; vuye zve, chinguva chiduku, muchandivona, vuye: Nokuti ndinoenda kunaBaba?

16:18b.JOH.016.018 Naizvozvo vakati: Chinyiko chaanoti: Chasara chinguva chiduku? Hatizivi chaanotaura.

16:19b.JOH.016.019 Jesu akaziva kuti vanoda kumubvunza, akati kwavari: Munobvunzana here pamusoro pechinhu ichi chandareva, ndichiti: Chasara chinguva chiduku, hamuchazondivoni; vuye zve, chinguva chiduku, muchandivona?

16:20b.JOH.016.020 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mucharira nokuchema imi, asi nyika ichafara; imi muchanzwa shungu, asi shungu dzenyu dzichashanduka mufaro.

16:21b.JOH.016.021 Mukadzi kana achipona, unonzwa shungu, nokuti nguva yake yasvika; asi kana apona mwana, haachafungi kutambudzika, nokufara kwake nokuti munhu waponerwa panyika.

16:22b.JOH.016.022 Nemi zvino muneshungu; asi ndichakuvonai zve, nomoyo yenyu ichafara; hakunomunhu ungakutorerai mufaro wenyu.

16:23b.JOH.016.023 Nezuva iro hamungazondibvunzi chinhu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Zvose zvamunenge muchakumbira kunaBaba, vachakupai izvo muzita rangu.

16:24b.JOH.016.024 Kusvikira zvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu; kumbirai muchapiwa, mufaro wenyu uzadzike.

16:25b.JOH.016.025 Izvi ndakataura kwamuri nemifananidzo, nguva inovuya yandisingazotauri kwamuri nemifananidzo; asi ndichakuparidzirai pachena zvaBaba;

16:26b.JOH.016.026 Nezuva iro muchakumbira muzita rangu; handikuvudziyi, kuti ndichakunyengeterera ini kunaBaba;

16:27b.JOH.016.027 nokuti Baba vamene vanokudai, nokuti makandida ini, mukatenda, kuti ini ndakabva kunaBaba.

16:28b.JOH.016.028 Ndakabva kunaBaba, ndikavuya panyika; ndinobva zve panyika, ndichienda kunaBaba.

16:29b.JOH.016.029 Vadzidzi vake vakati: Tarirai, zvino motaura pachena, hamucharevi nemifananidzo.

16:30b.JOH.016.030 Zvino toziva, kuti munoziva zvose, hamutsvaki kuti munhu akubvunzei; tinotenda naizvozvi kuti makabva kunaMwari.

16:31b.JOH.016.031 Jesu akavapindura, akati: Motenda zvino here?

16:32b.JOH.016.032 Tarirai, nguva inovuya, yatosvika, yamuchaparadzirwa, mumwe nomumwe kunezvake, mukandisiya ndiri ndoga; asi handizi ndoga, nokuti Baba vaneni.

16:33b.JOH.016.033 Ndakareva izvozvi kwamuri, kuti muve norugare mandiri. Panyika munotambudzika; asi tsungai moyo, ini ndakakunda nyika.

17

17:1b.JOH.017.001 Jesu wakataura izvozvi, akatarira kudenga, akati: Baba, nguva yasvika; kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana akukudzei imi,

17:2b.JOH.017.002 sezvamakamupa simba pamusoro penyama yose, kuti vose vamakamupa, avape vupenyu bwusingaperi.

17:3b.JOH.017.003 Vupenyu bwusingaperi ndibwo, kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma.

17:4b.JOH.017.004 Ndakakukudzai panyika, ndapedza basa ramakandipa kuti ndiriite.

17:5b.JOH.017.005 Zvino imi baba, mundikudzei pamberi penyu nokukudzwa kwandaiva nako kwamuri, nyika isati yavapo.

17:6b.JOH.017.006 Ndakaratidza vanhu, vamakandipa panyika, zita renyu. Vakanga vari venyu, makandipa ivo, vakachengeta shoko renyu.

17:7b.JOH.017.007 Zvino vanoziva kuti zvose-zvose, zvamakandipa, zvinobva kwamuri.

17:8b.JOH.017.008 Nokuti ndakavapa mashoko amakandipa, vakaagamuchira, vakaziva zvirokwazvo kuti ndakabva kwamuri, vakatenda kuti ndakatumwa nemi.

17:9b.JOH.017.009 Ndinovanyengeterera ivo; handinyengetereri nyika, asi avo vamakandipa, nokuti ndivo venyu.

17:10b.JOH.017.010 Zvose zvangu ndezvenyu, nezvenyu ndezvangu; ndakakudzwa mavari.

17:11b.JOH.017.011 Ini handichiri munyika, asi ivo vari munyika; ini ndinovuya kwamuri Baba vatsvene, muvachengete muzita renyu, vamakandipa, kuti vave vamwe, sesu.

17:12b.JOH.017.012 Ndichiri navo, ini ndaivachengeta muzita renyu, vamakandipa; ndikavarinda panyika, hapanomumwe wavo wakarashika, asi mwanakomana wokurashwa, kuti Rugwaro ruitike.

17:13b.JOH.017.013 Asi zvino ndovuya kwamuri; ndinotaura izvi panyika, kuti vave nomufaro wangu, wakazadzika mavari.

17:14b.JOH.017.014 Ini ndakavapa shoko renyu, nyika ikavavenga, nokuti havazi venyika, seni ndisi wenyika.

17:15b.JOH.017.015 Handinyengeteri kuti muvabvise panyika, asi kuti muvachengete kuno wakaipa

17:16b.JOH.017.016 Havazi venyika, seni ndisi wenyika,

17:17b.JOH.017.017 Muvaite vatsvene muzvokwadi; shoko renyu izvokwadi.

17:18b.JOH.017.018 Sezvamakandituma panyika imi, saizvozvo neni ndakavatuma panyika.

17:19b.JOH.017.019 Ndinozviita mutsvene nokuda kwavo, kuti naivo vaitwe vatsvene muzvokwadi.

17:20b.JOH.017.020 Handinyengetereri ava bedzi, asi naivo vachatenda vo kwandiri neshoko ravo.

17:21b.JOH.017.021 kuti vose vave vamwe; semi Baba muri mandiri, neni mamuri; kuti naivo vave matiri, kuti nyika itende kuti makandituma.

17:22b.JOH.017.022 Neni ndakavapa kubwinya kwamakandipa; kuti vave vamwe, nesu tiri vamwe;

17:23b.JOH.017.023 ini mavari, nemi mandiri, vakwaniswe kuva vamwe; kuti nyika izive kuti makandituma, vuye kuti makavada, sezvamakandida ini.

17:24b.JOH.017.024 Baba, ndinoda kuti avo vamakandipa, vave vo neni apo pandiri, kuti vavone kubwinya kwangu, kwamakandipa, nokuti makandida nyika isati yavambwa.

17:25b.JOH.017.025 Baba vakarurama, nyika hainakukuzivai; asi ini ndakakuzivai; naivava vakaziva kuti makandituma.

17:26b.JOH.017.026 Ndakavazivisa zita renyu, vuye ndicharizivisa, kuti rudo, rwamakandida narwo, ruve mavari, neni ndive mavari.

18

18:1b.JOH.018.001 Jesu wakati areva izvozvo, akabuda navadzidzi vake, akaenda mhiri kworukova runonzi Kedroni, paiva nomunda, akapinda mauri, iye navadzidzi vake.

18:2b.JOH.018.002 Zvino Judhasi, wakamupandukira, wakanga achiziva vo nzvimbo iyo; nokuti Jesu kazhinji waivunganapo navadzidzi vake.

18:3b.JOH.018.003 Naizvozvo Judhasi akatora boka ravarwi, navatariri, vaibva kuvaPirisita vakuru navaFarise, akaenda po nemwenje namazhenje, nezvokurwa nazvo.

18:4b.JOH.018.004 Zvino Jesu, zvaakanga achiziva zvose zvaifanira kumuwira, akabuda, akati kwavari: Munotsvaka aniko?

18:5b.JOH.018.005 Vakamupindura, vakati: Jesu weNazareta, Jesu akati kwavari: Ndini, naJudhasi, wakamupindura, wakanga amire vo navo.

18:6b.JOH.018.006 Zvino wakati areva kwavari, achiti: Ndini, vakasudurukira shure, vakawira pasi.

18:7b.JOH.018.007 Zvino akavabvunza zve, achiti: Munotsvaka aniko? Vakati: Jesu weNazareta.

18:8b.JOH.018.008 Jesu akapindura, akati: Ndakuvudzai, kuti ndini. Kana muchinditsvaka ini, regai ava vaende;

18:9b.JOH.018.009 kuti shoko, raakareva, riitike, rokuti: Handina kurashikirwa nomumwe kunaivavo vamakandipa.

18:10b.JOH.018.010 Zvino Simoni Petro, wakanga anomunondo, akauvhomora, akatema muranda womuPirisita mukuru, akamugura nzeve yorudyi. Zita romuranda uyo rainzi Markosi.

18:11b.JOH.018.011 Zvino Jesu akati kunaPetro: Isa munondo wako mumuhara; mukombe wandakapiwa naBaba, handingaunwi here? Jesu unoswa kunaAnasi. (Mat. 26. 57-68; Mar. 14. 53-65; Ruka 22. 63-71.)

18:12b.JOH.018.012 Zvino boka ravarwi, nomukuru wechuru chezana, navatariri vavaJudha vakabata Jesu, vakamusunga,

18:13b.JOH.018.013 vakatanga kumuisa kunaAnasi; nokuti wakanga ari mukarabwa waKayafasi, waiva muPirisita mukuru gore iro.

18:14b.JOH.018.014 Zvino Kayafasi ndiye wakanga apa vaJudha zano, kuti zvirinani kuti munhu mumwe afire vanhu. Kuramba kwaPetro. (Mat. 26. 69-75; Mar. 14. 66-72; Ruka 22. 54-62; Joh. 18. 25-27.)

18:15b.JOH.018.015 Zvino Simoni Petro wakanga achitevera Jesu, nomumwe mudzidzi vo. Mudzidzi uyu waizikanwa nomuPirisita mukuru, akapinda naJesu muruvazhe rwomuPirisita mukuru.

18:16b.JOH.018.016 Asi Petro wakanga amire panze pamukova. Zvino uya mumwe mudzidzi, waizikanwa nomuPirisita mukuru,, akabuda, akataura nomurindi womukova, akapinza Petro.

18:17b.JOH.018.017 Zvino musikana, wairinda mukova, akati kunaPetro: Newe vo uri mumwe wavadzidzi vomunhu uyu here? Akati; Handizi.

18:18b.JOH.018.018 Zvino varanda navatariri vakanga vamirepo, vambovesa moto wamazimbe, nokuti kwaitonhora; vakadziya moto. NaPetro akamira vo navo achidziya moto.

18:19b.JOH.018.019 Zvino muPirisita mukuru akabvunza Jesu zvavadzidzi vake, nedzidziso yake.

18:20b.JOH.018.020 Jesu akamupindura, akati: Ndaitaura pachena kunyika; ndaidzidzisa nguva dzose mumasinangoge nomutembere, panovungana vaJudha vose; handina kureva chinhu pakavanda.

18:21b.JOH.018.021 Munondibvunzireiko ini? Bvunzai ava vainzwa zvandaitaura kwavari; tarirai ava vanoziva zvandaireva.

18:22b.JOH.018.022 Wakati areva izvozvo, mumwe wavatariri wakanga amirepo, akarova Jesu noruvoko, achiti: Unopindura muPirisita mukuru uchidaro nhai?

18:23b.JOH.018.023 Jesu akamupindura akati: Kana ndareva zvakaipa, pupura kuti zvakaipa ndezvipi; kana ndareva zvakanaka wagondirovereiko?

18:24b.JOH.018.024 Zvino Anasi akamutumira akasungwa kunaKayafasi, muPirisita mukuru.

18:25b.JOH.018.025 Zvino Simoni Petro wakanga amirepo, achidziya moto. Vakati kwaari: Newe vo uri mumwe wavadzidzi vake here? Akaramba, akati; Handizati.

18:26b.JOH.018.026 Mumwe muranda womuPirisita mukuru, hama yowakanga agurwa nzeve naPetro, akati: Ini handina kukuvona unaye mumunda here?

18:27b.JOH.018.027 Petro akaramba zve. Pakarepo jongwe rakarira. Jesu pamberi paPirato. (Mat. 27. 1,2, 11-31; Mar. 15. 1-20; Ruka 23. 1-25.)

18:28b.JOH.018.028 Zvino vakabva kunaKayafasi, vakaenda naJesu kuimba yomubati; aiva mangwanani. Asi ivo havana kupinda mumba momubati, kuti varege kusvibiswa, kuti vagodya paseka.

18:29b.JOH.018.029 Ipapo Pirato akabudira kwavari, akati: Munoti, munhu uyu unemhosva yeiko?

18:30b.JOH.018.030 Vakapindura, vakati kwaari: Dai munhu uyu asaiva mutadzi, tingadai tisina kumuisa kwamuri.

18:31b.JOH.018.031 Zvino Pirato akati kwavari: Chimutorai imi, mumutonge nomurairo wenyu. VaJudha vakati kwaari: Hatina kutenderwa isu kuti tivuraye munhu;

18:32b.JOH.018.032 kuti shoko raJesu raakareva riitike, achidudzira kufa kwaaifanira kufa nako.

18:33b.JOH.018.033 Zvino Pirato akapinda zve mumba momubati, akadana Jesu, akati kwaari: Ndiwe mambo wavaJudha here??

18:34b.JOH.018.034 Jesu akapindura, akati: Unozvireva izvi pachako here, kana wazvivudzwa navamwe pamusoro pangu?

18:35b.JOH.018.035 Pirato akapindura, akati: Ini ndiri muJudha su? Rudzi rwako navaPirisita vakuru vakakuisa kwandiri; waiteiko?

18:36b.JOH.018.036 Jesu akapindura, akati: Vushe bwangu habwuzi bwenyika ino; dai vushe bwangu bwaiva bwenyika ino, varanda vangu vangadai vairwa, kuti ndirege kuiswa kuvaJudha; asi zvino vushe bwangu hahwuzi bwapano.

18:37b.JOH.018.037 Ipapo Pirato akati kwaari: Iwe uri mambo su? Jesu akapindura, akati: Unoreva iwe kuti ndiri mambo. Ndakaberekerwa izvozvo, ndakavuyira izvozvo panyika kuti ndipupure zvokwadi. Mumwe nomumwe wazvokwadi unonzwa inzwi rangu.

18:38b.JOH.018.038 Pirato akati kwaari: Zvokwadi chinyiko? Akati areva izvozvo, akabudira zve kuvaJudha, akati kwavari: Ini handiwani mhosva kwaari.

18:39b.JOH.018.039 Asi imi munetsika kuti ndikusunungurirei mumwe nepaseka; zvino munoda kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha here?

18:40b.JOH.018.040 Ipapo vakadanidzira vose, vachiti: Munhu uyu kwete, asi Bharabhasi! Zvino Bharabhasi wakanga ari gororo.

19

19:1b.JOH.019.001 Zvino Pirato wakatora Jesu, akamurovesa.

19:2b.JOH.019.002 Varwi vakaruka korona yeminzwa, vakaiisa pamusoro wake, vakamupfekedza nguvo tsvuku.

19:3b.JOH.019.003 vakavuya kwaari, vachiti: Kwaziwai, Mambo wavaJudha! Vakamurova namavoko.

19:4b.JOH.019.004 Ipapo Pirato akabuda zve, akati kwavari: Tarirai, ndamubudisira kwamuri, muzive kuti handiwani mhosva kwaari.

19:5b.JOH.019.005 Jesu akabuda, akadzika korona yeminzwa, anenguvo tsvuku. Pirato akati kwavari: Tarirai munhu!

19:6b.JOH.019.006 Zvino vaPirisita vakuru navatariri vakati vachimuvona, vakadanidzira, vachiti: Roverai pamuchinjikwa, roverai pamuchinjikwa! Pirato akati kwavari: Chimutorai imi, mumuroverei pamuchinjikwa; nokuti ini handiwani mhosva kwaari.

19:7b.JOH.019.007 VaJudha vakamupindura, vakati: Isu tinomurairo, zvino nomurairo wedu unofanira kufa, nokuti wakazviita Mwanakomana waMwari.

19:8b.JOH.019.008 Zvino Pirato wakati anzwa shoko iri, akanyanya kutya.

19:9b.JOH.019.009 Akapinda zve mumba momubati, akati kuna Jesu Uri wepiko? Asi Jesu haana kumupindura.

19:10b.JOH.019.010 Ipapo Pirato akati kwaari: Hautauri neni here? Hauzivi su kuti ndinesimba rokukusunungura, nesimba rokukurovera pamuchinjikwa?

19:11b.JOH.019.011 Jesu akamupindura, akati: haungatongovi nesimba pamusoro pangu, kana usina kuripiwa richibva kumusoro naizvozvo wakandiisa kwauri, unezvivi zvinokunda zvako.

19:12b.JOH.019.012 Zvino Pirato akatsvaka kumusunungura; asi vaJudha vakadanidzira, vachiti: Kana mukasunungura munhu uyu, hamuzi shamwari yaKesari; mumwe nomumwe, unozviita mambo, unoramba Kesari.

19:13b.JOH.019.013 Zvino Pirato wakati anzwa mashoko iwayo, akabudisa Jesu, akagara pachigaro chokutonga, panzvimbo yainzi Pakarongwa naMambwe, asi nechiHebheru Gabata.

19:14b.JOH.019.014 Zvino wakanga uri musi woKugadzirira paseka; yaiva nguva inenge yechitanhatu. Akati kuvaJudha: Tarirai Mambo wenyu!

19:15b.JOH.019.015 Ivo vakadanidzira, vachiti: Bvisai, bvisai, mumurovere pamuchinjikwa! Pirato akati kwavari: Ndorovera Mambo wenyu pamuchinjikwa here? VaPirisita vakuru vakapindura, vachiti: Hatinamambo, asi Kesari chete.

19:16b.JOH.019.016 Akamuisa kwavari, kuti aroverwe pamuchinjikwa. Zvino vakaenda naJesu; Jesu unoroverwa pamuchinjikwa. (Mat. 27. 32-56; Mar. 15. 21-41; Ruka 23. 26-49.)

19:17b.JOH.019.017 Akabuda akatakura muchinjikwa wake,akaenda kunzvimbo yainzi, Dehenya, nechiHebheru ichinzi Gorgota.

19:18b.JOH.019.018 pavakamurovera pamuchinjikwa, navamwe vaviri naye, mumwe kunorumwerutivi, mumwe kunorumwe rutivi, Jesu pakati.

19:19b.JOH.019.019 Pirato akanyora vo rugwaro, akaruisa pamuchinjikwa; kwakanga kwakanyorwa kuchinzi: Jesu weNazareta, MambowavaJudha.

19:20b.JOH.019.020 Zvino vaJudha vazhinji vakarava rugwaro urwo; nokuti nzvimbo iyo pakanga pakaroverwa Jesu pamuchinjikwa, yaiva pedo neguta; rwakanyorwa nechiHebheru, nechiLatini, nechiGiriki.

19:21b.JOH.019.021 Ipapo vaPirisita vakuru vavaJudha vakati kuna Pirato: Musanyora muchiti: Mambo wavaJudha, asi kuti Iye wakati: Ndiri mambo wavaJudha.

19:22b.JOH.019.022 Pirato akapindura, akati: Zvandanyora, ndanyora.

19:23b.JOH.019.023 Zvino varwi vakati varovera Jesu pamuchinjikwa, vakatora nguvo dzake, vakaita migove mina, murwi mumwe nomumwe mugove wake; nenguvo yapasi vo. Zvino nguvo iyi yakanga isina pakasonwa, asi yakanga yakarukwa yose kubva kumsoro kwayo.

19:24b.JOH.019.024 Zvino vakataurirana, vachiti: Ngatirege kuibvarura, asi tikande mijenya pamusoro payo, tivone kuti ichava yani; kuti Rugwaro ruitike, runoti: Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo. Vakakanda mijenya pamusoro pechokufuka changu. Ndizvo zvakaitwa navarwi.

19:25b.JOH.019.025 Zvino pamuchinjikwa waJesu pakanga pamire mai vake, nomuninina wamai vake, Maria, mukadzi waKropasi, naMaria Magadarene.

19:26b.JOH.019.026 Zvino Jesu wakati achivona mai vake, nomudzidzi waaida, amirepo, akati kunamai vake: Mai, tarirai, mwanakomana wenyu.

19:27b.JOH.019.027 Ipapo akati kumudzidzi: Tarira mai vako. Kubva panguva iyo mudzidzi akavatora, akavaisa kumba kwake.

19:28b.JOH.019.028 Shure kwaizvozvo, Jesu wakati achiziva kuti zvose zvapera, kuti Rugwaro ruitike, akati: Ndinenyota.

19:29b.JOH.019.029 Pakanga pamirepo hari izere nevhinega; zvino vakaisa chipanje chizere nevhinega parutanda rwehisopi, vakaruisa kumuromo wake.

19:30b.JOH.019.030 Zvino Jesu wakati agamuchira vhinega, akati: Zvapera! Akakotamisa musoro wake, akabudisa Mweya wake.

19:31b.JOH.019.031 Zvino zvawaiva musi woKugadzirira paseka, vaJudha vakakumbira kunaPirato kuti akumbo avo avhunwe, vabiswe, kuti mitumbu irege kugara pamuchinjikwa nesabata, nokuti zuva iro resabata raiva guru.

19:32b.JOH.019.032 Naizvozvo varwi vakavuya, vakavhuna makumbo owokutanga, noomumwe wakanga aroverwa pamuchinjikwa pamwe chete naye;

19:33b.JOH.019.033 asi vakati vachisvika kunaJesu, vachivona kuti watofa hake, havana kuvhuna makumbo ake,

19:34b.JOH.019.034 asi mumwe murwi wakabaya rutivi rwake nepfumo, pakarepo ropa nemvura zvikabuda.

19:35b.JOH.019.035 Uyo wakavona, ndiye wakapupura, vuye kupupura kwake ndokwe zvokwadi; iye unoziva kuti unoreva zvirokwazvo, kuti nemi vo mutende.

19:36b.JOH.019.036 Nokuti izvozvo zvakaitwa, kuti Rugwaro ruitike, runoti: Fupa rake haringavhunwi.

19:37b.JOH.019.037 Norumwe Rugwaro zve runoti: Vachatarira uyo wavakabvovora. Kuvigwa kwaJesu. (Mat. 27. 57-66; Mar. 15. 42-47; Ruka 23. 50-56.)

19:38b.JOH.019.038 Shure kwaizvozvo Josefa weArimatia, waiva mudzidzi waJesu, asi pakavanda nokutya vaJudha, wakakumbira kuna Pirato kuti abvise mutumbu waJesu; Pirato akamutendera. Ipapo akavuya, akabvisa mutumbu waJesu.

19:39b.JOH.019.039 NaNikodimo vo, iye wakambovuya kuna Jesu vusiku pakutanga, wakavuya anemura nearosi zvakavhenganiswa, mapaundi anenge zana.

19:40b.JOH.019.040 Ipapo vakatora mutumbu waJesu, vakamuputira nemicheka pamwe chete nezvinonhuwira, sezvinoita vaJudha pakuviga kwavo.

19:41b.JOH.019.041 Panzvimbo iyo, paakaroverwapamuchinjikwa, pakanga panomunda; mumunda imomo maiva nebwiro bwutsva, makanga musina kumboiswa munhu.

19:42b.JOH.019.042 Zvino vakaisa Jesuipapo,zvawakanga uri musiwo Kugadzirira kwavaJudha, (nokuti bwiro bwakanga bwuri pedo.)

20

20:1b.JOH.020.001 Zvino nomusi wokutanga wevhiki Maria Magadarene wakaenda kubwiro mangwanani kuchakasviba; akavona ibwe rabiswa pabwiro.

20:2b.JOH.020.002 Akamhanya, kuenda kuna Simoni Petro nokuno mumwe mudzidzi waidikanwa naJesu, akati kwavari: Vabvisa Ishe mubwiro, hatizivi pavakamuisa.

20:3b.JOH.020.003 Zvino Petro akabuda nouya mumwe mudzidzi, vakaenda kubwiro.

20:4b.JOH.020.004 Vakamhanya vose vari vaviri: uya mumwe mudzidzi akamhanyisa akakunda Petro, akatanga kusvika pabwiro,

20:5b.JOH.020.005 akakotama achidongorera, akavona micheka iri pasi, asi haana-kupinda.

20:6b.JOH.020.006 Zvino Simoni Petro akasvika vo. Akapinda mubwiro, akavona micheka iri pasi;

20:7b.JOH.020.007 nomucheka muduku, wakanga uri mumusoro wake, usati uri kune imwe micheka, asi wakapetwa uri pamwe woga.

20:8b.JOH.020.008 Zvino uya mumwe mudzidzi akapinda vo, iye wakatanga kusvika pabwiro akavona, akatenda.

20:9b.JOH.020.009 Nokuti vakanga vachigere kunzwisisisa Rugwaro, runoti unofanira kumuka kuvakafa.

20:10b.JOH.020.010 Zvino vadzidzi vakadzokera zve kumusha kwavo. Jesu unozviratidza kunaMaria.

20:11b.JOH.020.011 Asi Maria wakaramba amire kunze kwobwiro, achichema; zvino achachema akakotama, akadongorera mubwiro.

20:12b.JOH.020.012 Akavona vatumwa vaviri, vanenguvo chena, vagere, mumwe kumusoro. Mumwe kumakumbo, ipapo pakanga paiswa mutumbu waJesu.

20:13b.JOH.020.013 Ivo vakati kwaari: Mai, munochemeiko? Akati kwavari: Nokuti vakabvisa Ishe wangu, zvino handizivi kwavakamuisa.

20:14b.JOH.020.014 Zvino wakati achireva izozvo, akatendevukira shure, akavona Jesu amire; asi haana-kuziva kuti ndiJesu.

20:15b.JOH.020.015 Jesu akati kwaari: Mai, munochemeiko? Munotsvaka aniko? Iye achiti ndiye murimi womunda, akati kwaari: Ishe, kana muri imi mamubvisa, ndivudzei pamamuisa, ndindomutora.

20:16b.JOH.020.016 Jesu akati kwaari: Maria! Iye akatendevuka, akati kwaari nechiHebheru: Rabhoni; ndokuti Mudzidzisi,

20:17b.JOH.020.017 Jesu akati kwaari: Usandibata, nokuti ndichigere kukwira kunaBaba vangu; asi enda kuhama dzangu, uti kwavari: Ndinokwira kunababa vangu naBaba venyu. KunaMwari wangu naMwari wenyu.

20:18b.JOH.020.018 Maria Magdarene akaenda akavudza vadzidzi, achiti: Ndavona Ishe, vuye kuti wakanga avudzwa zvinhu izvi naye. Jesu unozviratidza kuvadzidzi, Tomasi asipo. (Ruka 24. 36-49.)

20:19b.JOH.020.019 Zvino ava madeko pazuva iro rokutanga revhiki, mikova yapfigwa pavakanga vari pakavungana vadzidzi nokutya vaJudha, Jesu akavuya, akamira pakati pavo, akati kwavari: Rugare kwamuri!

20:20b.JOH.020.020 Zvino wakati areva izvozvo, akavaratidza zvanza zvake norutivi rwake. Vadzidzi vakafara vachivona Ishe,

20:21b.JOH.020.021 Jesu akati zve kwavari: Rugare kwamuri! Baba sezvavakandituma, neni ndinokutumai vo.

20:22b.JOH.020.022 Zvino wakati areva izvozvo, akafemera kwavari, akati kwavari: Gamuchirai Mweya Mutsvene.

20:23b.JOH.020.023 Avo, vamunokanganwira zvivi zvavo, vazvikanganwirwa; avo vamunobata zvivi zvavo, zvabatwa. Jesu unozviratidza kuvadzidzi Tomasi avapo.

20:24b.JOH.020.024 Zvino Tomasi, wainzi Didimo, mumwe wavanegumi navaviri, wakanga asipo pavari, pakuvuya kwaJesu.

20:25b.JOH.020.025 Zvino vamwe vadzidzi vakati kwaari: Tavona Ishe. Iye akati kwavari: Kana ndikasavona mavanga embambo muzvanza zvake, nokuisa munwe wangu paiva nembambo, nokuisa ruvoko rwangu murutivi rwake, handingatongo tendi.

20:26b.JOH.020.026 Zvino mazuva masere akati apfuvura zve, vadzidzi vakanga varimo mukati, naTomasi anavo. Jesu akavuya, mikova yapfigwa, akamira pakati pavo, akati Rugare kwamuri!

20:27b.JOH.020.027 Ipapo akati kunaTomasi: Vuya pano nomunwe wako, uvone zvanza zvangu; vuya noruvoko rwako, uruise murutivi rwangu, usava usingatendi, asi unotenda.

20:28b.JOH.020.028 Tomasi akapindura, akati kwaari: Ishe wangu, naMwari wangu!

20:29b.JOH.020.029 Jesu akati kwaari: Tomasi watenda, nokuti wandivona? Vakaropafadzwa vanotenda, kunyange vasina-kuvona.

20:30b.JOH.020.030 Zvino Jesu wakaita zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pavadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iyi;

20:31b.JOH.020.031 asi izvi zvakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari; vuye kuti, muchitenda, muve novupenyu muzita rake.

21

21:1b.JOH.021.001 Shure kwaizvozvo Jesu wakazviratidza zve kuvadzidzi vake pagungwa reTiberiasi; akazviratidza kudai:

21:2b.JOH.021.002 VanaSimoni Petro, naTomasi, wainzi Didimo, naNatanieri, weKana yeGarirea, navanakomana vaZebhedhi, navamwe vaviri vavadzidzi vake, vakanga vari pamwe chete.

21:3b.JOH.021.003 Simoni Petro akati kwavari: Ndondobata hove. Vakati kwaari: Nesu tinoenda vo newe. Vakabuda, vakapinda mugwa; pakarepo asi vusiku ubwo havana-kubata chinhu.

21:4b.JOH.021.004 Zvino kwakati kwoedza, Jesu akamira pamhenderekedzo, asi vadzidzi vakanga vasingazivi kuti ndiJesu.

21:5b.JOH.021.005 Zvino Jesu akati kwavari: Vana, munechisevo here? Vakamupindura, vachiti: Kwete.

21:6b.JOH.021.006 Akati kwavari: Kandai rutava kurutivi rworudyi rwegwa mugowana. Ipapo vakakanda vakasagona zvino kurukweva nokuwanda kwehove.

21:7b.JOH.021.007 Zvino mudzidzi uya, waidikanwa naJesu, akati kunaPetro NdiShe. Ipapo Simoni Petro wakati achinzwa kuti ndiShe, akasunga nguvo yake, nokuti wakanga asina, akazviwisira mugungwa.

21:8b.JOH.021.008 Asi vamwe vadzidzi vakavuya nekagwa, vachikweva rutava runehove, nokuti vakanga vasi kure nenyika asi makubiti anenge mazana maviri.*

21:9b.JOH.021.009 Zvino vakati vasvika panyika, vakavona moto wamazimbe waveswa, nehove yakaiswa pamusoro pawo, nechingwa.

21:10b.JOH.021.010 Jesu akati kwavari: Vuyai nedzimwe hove dzamakabata zvino.

21:11b.JOH.021.011 Simoni akakwira mugwa, akakwevera rutava panyika, rwakanga ruzere nehove huru, zana namakumi mashanu nenhatu; asi kunyange dzaiva zhinji dzikadai, rutava haruna kubvaruka.

21:12b.JOH.021.012 Jesu akati kwavari: Vuyai musvusvure. Kwakanga kusinomumwe wavadzidzi vake wakatsunga kumubvunza kuti: Ndimi aniko? Vachiziva kuti ndiyeShe.

21:13b.JOH.021.013 Zvino Jesu akaenda, akatora chingwa akavapa, nehove vo saizvozvo.

21:14b.JOH.021.014 Urwu rwaiva rwechitatu, Jesu rwaakazviratidza kuvadzidzi vake amuka kuvakafa.

21:15b.JOH.021.015 Zvino vakati vasvusvura, Jesu akati kunaSimoni Petro: Simoni, mwanakomana waJona, unorudo neni kupfuvura ava here? Akati kwaari: Hongu, Ishe; munoziva kuti ndinokudai. Jesu akati kwaari: Fudza makwaiana angu,

21:16b.JOH.021.016 Akati kwaaari zve rwechipiri:Simoni mwanakomana waJona unorudo neni here? akati kwaari Hongu,, Ishe; munoziva kuti ndinokudai. Jesu akati kwaari: Chengeta makwai angu.

21:17b.JOH.021.017 Akati kwaari rwechitatu: Simoni, mwanakomana waJona; Unondida here? Petro akarwadziwa moyo, nokuti wakati kwaari rwechitatu: Unondida here? Akati kwaari: Ishe, munoziva zvose; munoziva kuti ndinokudai. Jesu akati kwaari: Fudza makwai angu.

21:18b.JOH.021.018 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Uchiri jaya, wa izvisunga chivuno, uchifamba kwawaida; asi kana wakwegura, uchatambanudza mavoko ako, mumwe uchakusunga chivuno, achikuisa kwausingadi.

21:19b.JOH.021.019 Wakareva izvozvo, achifananidzira kufa kwaaizokudza Mwari nako. Zvino wakati areva izvozvo, akati kwaari: Nditevere.

21:20b.JOH.021.020 Petro akatendevuka, akavona uya mudzidzi, waidikanwa naJesu, achitevera; ndiye vo wakasendamira pachifuva chake pachirayiro, achiti: Ishe, ndianiko uchakupandukirai?

21:21b.JOH.021.021 Zvino Petro wakati achimuvona, akati kunaJesu: Ishe ko uyu uchaitweiko?

21:22b.JOH.021.022 Jesu akati kwaari: Kana ndikada kuti agare kusvikira ndichivuya, uneiko nazvo iwe? Unditevere iwe.

21:23b.JOH.021.023 Zvino shoko iro rakapararira pakati pehama, kuti mudzidzi uyu haangazofi. Asi Jesu haana kureva kwaari, kuti haangazofi, asi kuti: Kana ndikada kuti agare kusvikira ndichivuya, uneiko nazvo iwe?

21:24b.JOH.021.024 Ndiyoyu mudzidzi unopupura izvozvi, wakazvinyora vo; tinoziva kuti kupupura kwake ndokwazvokwadi.

21:25b.JOH.021.025 Zvimwe zvizhinji zviriko, zvakaitwa vo naJesu; kana zvainyorwa chimwe nechimwe, ndinoti kunyange nenyika yose haingaringani bhuku dzinganyorwa. Amen.


Holder of rights
Multilingual Bible Corpus

Citation Suggestion for this Object
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. John (Shona). John (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5D5-9