Zechariah (Shona)

Zechariah (Shona)

1

1:1b.ZEC.001.001 Nomwedzi worusere, negore rechipiri raDhariusi, shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya, mwanakomana waBherekia, mwanakomana womuporofita Idho, richiti,

1:2b.ZEC.001.002 Jehovha akatsamwira madzibaba enyu zvikuru.

1:3b.ZEC.001.003 Naizvozvo chiti kwavari Zvanzi naJehovha wehondo , Dzokerai kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo neni ndichadzokera kwamuri, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.

1:4b.ZEC.001.004 Regai kuva samadzibaba enyu, nokuti vaporofita vokutanga vakadanidzira kwaari, vachiti, zvanzi naJehovha wehondo, Dzokai, zvino panzira dzenyu dzakaipa napazvakaipa zvenyu zvamunoita; asi havana kunzwa kana kunditeerera, ndizvo zvinotaura Jehovha.

1:5b.ZEC.001.005 Madzibaba enyu aripiko? Naivo vaporofita vangararama nokusingaperi here?

1:6b.ZEC.001.006 Asi mashoko angu nemitemo yangu, zvandakaraira varanda vangu, ivo vaporofita, hazvina kubata madzibaba enyu here? Ivo vakadzoka, vakati, Jehovha wehondo sezvaakafunga kutiitira, zvakafanira mabasa edu nezvakafanira zvatakaita, ndizvo zvaakatiitira. Chiratidzo chokutanga chamabhiza

1:7b.ZEC.001.007 Nezuva ramakumi namana romwedzi wegumi nomumwe, uri mwedzi weShabhati, negore rechipiri raDhariusi, shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya mwanakomana waBherekia, mwanakomana womuporofita Idho, richiti,

1:8b.ZEC.001.008 Ndakatarira usiku, ndikaona murume akatasva bhiza dzvuku, akamira pakati pemiti yemimirite yaiva mumupata; shure kwake kwakanga kunamabhiza matsvuku namashora namachena.

1:9b.ZEC.001.009 Ipapo ndikati, Nhai, ishe wangu, zvinyiko izvi? Mutumwa akanga achitaurirana neni akati kwandiri, Ndichakuratidza kuti izvi zvinyi.

1:10b.ZEC.001.010 Murume akanga amire pakati pemiti yemimirite akapindura, akati, Ava ndivo vakatumwa naJehovha kupota-pota nenyika yose.

1:11b.ZEC.001.011 Ivo vakapindura mutumwa waJehovha akanga amire pakati pemiti yemimirite, vakati, Takapota-pota nenyika yose, wane nyika yose inyerere ichizorora.

1:12b.ZEC.001.012 Ipapo mutumwa waJehovha wakapindura, akati, Aiwa, Jehovha wehondo, mucharamba musinganzwiri nyasha Jerusaremu namaguta aJudha amakatsamwira makore ano ana makumi manomwe kusvikira riniko?

1:13b.ZEC.001.013 Ipapo Jehovha akapindura mutumwa akanga achitaurirana neni, mashoko akanaka anonyaradza.

1:14b.ZEC.001.014 Ipapo mutumwa, akanga achitaurirana neni, akati kwandiri, Danidzira, uti, Zvanzi naJehovha wehondo, ndine godo pamusoro peJerusaremu, godo guru.

1:15b.ZEC.001.015 Ndakatsamwira kwazvo ndudzi dzavanhu dzakazorora, nokuti ndakanga ndakatsamwa zvishoma, asi ivo vakanyanyisa nhamo.

1:16b.ZEC.001.016 Naizvozvo zvanzi naJehovha, Ndakadzokera Jerusaremu ndine nyasha zhinji; imba yangu ichavakwamo ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo uye rwonzi rwokuyera ruchatambanudzirwa pamusoro peJerusaremu.

1:17b.ZEC.001.017 Danidzirazve, uti, Zvanzi naJehovha wehondo, Maguta angu achapa fuma mufarozve, Jehovha achanyaradzazve Ziyoni, achazvisanangurirazve Jerusaremu. Chiratidzo chechipiri chenyanga navapfuri

1:18b.ZEC.001.018 Zvino ndakarinzira meso angu ndikatarira, ndikaona nyanga ina.

1:19b.ZEC.001.019 Ipapo ndikati kumutumwa, wakanga achitaurirana neni, Zvinyiko izvi? Akandipindura, akati, Ndidzo nyanga dzakaparadzira Judha naIsiraeri neJerusaremu.

1:20b.ZEC.001.020 Jehovha akandiratidza vapfuri vana.

1:21b.ZEC.001.021 Ipapo ndikati, Ava vauya kuzobateiko? Iye akataura, akati, Ndidzo nyanga dzakaparadzira Judha, kusvikira kusino munhu akasimudza musoro wake; asi ava vauya kuzovatyisa, kuwisira pasi nyanga dzendudzi dzavanhu dzakasimudzira nyika yaJudha runyanga rwavo vachida kuvaparadzira.

2

2:1b.ZEC.002.001 Zvino ndakarinzira meso angu, katarira, ndikaona murume akabata rwonzi rwokuyera muruoko rwake.

2:2b.ZEC.002.002 Ipapo ndikati, Unoendepiko? Iye akati kwandiri, Kundoyera Jerusaremu, ndione kufara kwaro nokureba kwaro.

2:3b.ZEC.002.003 Zvino tarira, mutumwa akanga achitaurirana neni, akabuda, mumwe mutumwa akandomuchingamidza,

2:4b.ZEC.002.004 akati kwaari, Mhanya, undotaura nejaya iri, uti, Jerusaremu richagara semisha isina masvingo, nokuda kwokuwanda kwavanhu nezvipfuwo zvirimo.

2:5b.ZEC.002.005 Nokuti zvanzi naJehovha, ndichava kwariri sorusvingo rwomoto rwakapoteredza, ini ndichava kubwinya kwaro mukati maro.

2:6b.ZEC.002.006 Nhai, imi tizai panyika yokumusoro ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndakakuparadzirai semhepo ina dzokudenga, ndizvo zvinotaura Jehovha.

2:7b.ZEC.002.007 Nhai, Ziyoni, tiza, iwe ugere nomukunda weBhabhironi.

2:8b.ZEC.002.008 Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Wakanditumira kundudzi dzakakupambai imi, kuti ndiwane kukudzwa; nokuti unokugunzvai imi, unogunzva mboni yeziso rake.

2:9b.ZEC.002.009 Nokuti tarirai, ndichazunungusa ruoko rwangu pamusoro pavo, vachava chinhu chakapambwa kuna ivo vaivabatira; ipapo muchaziva kuti Jehovha wehondo ndiye akandituma.

2:10b.ZEC.002.010 Imba, ufare, iwe mukunda weZiyoni; nokuti tarira, ndinouya, ndichagara mukati mako, ndizvo zvinotaura Jehovha.

2:11b.ZEC.002.011 Ndudzi zhinji dzichanamatira Jehovha nezuva iro, vakava vanhu vangu; ndichagara mukati mako, ipapo iwe uchaziva kuti ndiye Jehovha wehondo wakandituma kwauri.

2:12b.ZEC.002.012 Judha vachagarwa nhaka naJehovha, uchava mugove wake munyika tsvene, uchazvisanangurirazve Jerusaremu.

2:13b.ZEC.002.013 Nyararai imi nyama yose pamberi paJehovha; nokuti wamuka paugaro hwake hutsvene.

3

3:1b.ZEC.003.001 Zvino wakandiratidza Joshua mupirisiti mukuru, amire pamberi pomutumwa waJehovha, Satani amire paruoko rwake rworudyi, kuti ave mudzivisi wake.

3:2b.ZEC.003.002 Jehovha akati kuna Satani, Jehovha ngaakutuke, iwe Satani; zvirokwazvo, Jehovha, wakazvisanangurira Jerusaremu, ngaakutuke; ko ichi hachizi chitsiga chakabvutwa pamoto here?

3:3b.ZEC.003.003 Zvino Joshua akanga akafuka nguo dzine tsvina, amire pamberi pomutumwa.

3:4b.ZEC.003.004 Akapindura, akataura navakanga vamire pamberi pake, achiti, Bvisai nguo dzake dzine tsvina. Akati kwaari, Tarira, ndakabvisa zvakaipa zvako, ndichakupfekedza nguo dzomutambo.

3:5b.ZEC.003.005 Ini ndikati, Ngavamudzike ngowani yakachena pamusoro wake. Ipapo vakamudzika ngowani yakachena pamusoro wake, vakamupfekedza nguvo; zvino mutumwa waJehovha akanga amirepo.

3:6b.ZEC.003.006 Mutumwa waJehovha akapupura kuna Joshua, achiti,

3:7b.ZEC.003.007 Zvanzi naJehovha wehondo, Kana ukafamba nenzira dzangu, kana ukachengeta zvandakakuraira, ipapo uchatonga imba yangu, uye uchachengetawo mavazhe angu, ini ndichakupa mapindire pakati pavamire pano.

3:8b.ZEC.003.008 Zvino chinzwa iwe Joshua, mupirisiti mukuru, iwe neshamwari dzako dzigere pamberi pako; nokuti varume ava chiratidzo; nokuti tarirai, ndichauyisa muranda wangu, davi.

3:9b.ZEC.003.009 Nokuti tarirai ibwe randakaisa pamberi paJoshua; pabwe rimwe pana meso manomwe; tarirai, ndichatema runyoro rwaro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichabvisa zvakaipa zvenyika iyo nezuva rimwe.

3:10b.ZEC.003.010 Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo muchadana mumwe nomumwe wenyu shamwari yake agare pasi pomuzambiringa napasi pomuonde.

4

4:1b.ZEC.004.001 Zvino mutumwa akanga achitaurirana neni akasvikazve, akandimutsa, somunhu anomutswa pahope dzake.

4:2b.ZEC.004.002 Akati kwandiri, Unooneiko? Ini ndikati, Ndakatarira, ndikaona chigadziko chomwenje chendarama yose, chine hariyana yacho pamusoro pacho, nemwenje yacho minomwe iri pamusoro pacho; mwenje mumwe nomumwe uri pamusoro pacho une mbombi nomwe;

4:3b.ZEC.004.003 uye miti miviri yemiorivhi parutivi rwacho, mumwe kurutivi rworudyi rwehadyana, nomumwe kurutivi rworuboshwe.

4:4b.ZEC.004.004 Ndikapindura ndikataura nomutumwa akanga achitaurirana neni, ndichiti, Izvi zvinyiko, ishe wangu?

4:5b.ZEC.004.005 Ipapo mutumwa akanga achitaurirana neni, akapindura, akati, kwandiri, Hauzivi here kuti izvi zvinyiko? Ini ndikati, Kwete, ishe wangu.

4:6b.ZEC.004.006 Ipapo akapindura, akataura neni, achiti, Ndiro shoko raJehovha kuna Zerubhabheri, rinoti, Hazviitwi nehondo kana nesimba, asi noMweya wangu, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.

4:7b.ZEC.004.007 Ndiwe aniko, iwe gomo guru? Pamberi paZerubhabheri uchaitwa bani, iye achabudisa ibwe rokumusoro, achidanidzira achiti, Nyasha, nyasha ngadzive kwariri.

4:8b.ZEC.004.008 Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,

4:9b.ZEC.004.009 Maoko aZerubhabheri akateya nheyo dzeimba ino, maoko ake achaipedzisawo; ipapo iwe uchaziva kuti Jehovha wehondo ndiye akandituma kwauri.

4:10b.ZEC.004.010 Nokuti ndiani akashoora zuva rezvinhu zviduku? Nokuti achafara zvikuru, achaona rwonzi rwokuyera muruoko rwaZerubhabheri; awa ndiwo meso aJehovha anofamba pose-pose panyika yose.

4:11b.ZEC.004.011 Ipapo ndakapindura, ndikati kwaari, Ko miorivhi iyi miviri kurutivi rworudyi rwechigadziko nokurutivi rworuboshwe zvinoti kudiniko?

4:12b.ZEC.004.012 Ndikapindurazve rwechipiri, ndikati kwaari, Ko matavi awa maviri emiorivhi ari kumativi emiromo miviri , inodira mafuta endarama pairi, anoti kudiniko?

4:13b.ZEC.004.013 Akandipindura, akati, Hauzivi here kuti izvi zvinyiko? Ini ndikati, Kwete, ishe wangu.

4:14b.ZEC.004.014 Zvino akati, Ava ndivo vaviri vakazodzwa, vamire pamberi paShe wenyika yose.

5

5:1b.ZEC.005.001 Zvino ndakarinzira meso anguzve, ndikatarira, ndikaona rugwaro rwakapetwa ruchibhururuka.

5:2b.ZEC.005.002 Akati kwandiri, Unooneiko? Ndikapindura, ndikati, Ndinoona rugwaro rwakapetwa runobhururuka; kureba kwarwo mukubhiti ana makumi maviri, novupamhi hwarwo makubhiti ane gumi.

5:3b.ZEC.005.003 Ipapo akati kwandiri, Ndiko kutuka kunobudira pamusoro penyika yose; nokuti mumwe nomumwe anoba achaparadzwa kuno rumwe rutivi sezvazvakanyorwamo, uye mumwe nomumwe anopika achaparadzwa kuno rumwe rutivi sezvazvakanyorwamo.

5:4b.ZEC.005.004 Ndichabudisa kutuka ikoko ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo kupinde mumba moanoba nomumba moanopika nhema nezita rangu; kuchagara pakati peimba yake, kuchiipedza iyo pamwechete namatanda ayo nemabwe ayo. Chiratidzo chechinomwe, chomukadzi akabata efa

5:5b.ZEC.005.005 Zvino mutumwa akanga achitaurirana neni akabuda, akati kwandiri, Chirinzira meso ako zvino, uone chinobudapo.

5:6b.ZEC.005.006 Ini ndikati, Chinyiko? Iye akati, Ndiyo efa inobudapo. Akatizve, Ndizvo zvavakaita panyika yose;

5:7b.ZEC.005.007 (zvino ndikaona tarenta romutobvu ruchisimudzwa); ndikaona mukadzi agere mukati meefa.

5:8b.ZEC.005.008 Akati, Uyu ndiye Zvakashata; akamuwisira pasi mukati meefa, akakandira mutobvu unorema pamusoro pomuromo wayo.

5:9b.ZEC.005.009 Ipapo ndakarinzira meso angu, ndikatarira, ndikaona vakadzi vaviri vachibuda, mhepo iri mumapapiro avo; zvino vakanga vanamapapiro akafanana namapapiro ezimudo; ivo vakasimudza efa, ikava pakati penyika nedenga.

5:10b.ZEC.005.010 Ipapo ndikati kumutumwa akanga achitaurirana neni, Vanondoisepiko efa?

5:11b.ZEC.005.011 Iye akati kwandiri, Kundoivakira imba panyika yeShinari; kana yapera achandoiswapo panzvimbo yayo.

6

6:1b.ZEC.006.001 Zvino ndakarinzira meso anguzve, ndikatarira, ndikaona ngoro ina dzichibuda pakati pamakomo maviri; makomo iwayo akanga ari makomo endarira.

6:2b.ZEC.006.002 Ngoro yokutanga yakanga inamabhiza matsvuku; ngoro yechipiri mabhiza matema;

6:3b.ZEC.006.003 ngoro yechitatu mabhiza machena, ngoro yechina mabhiza mapfumbu ane simba.

6:4b.ZEC.006.004 Ipapo ndakapindura, ndikati kumutumwa akanga achitaurirana neni, Zvinyiko izvi, ishe wangu?

6:5b.ZEC.006.005 Mutumwa akapindura, akati kwandiri, Izvezvi ndidzo mhepo ina dzokudenga, dzinobuda padzakanga dzimire pamberi paShe wenyika yose.

6:6b.ZEC.006.006 Ngoro inamabhiza matema inobudira kunyika yokumusoro; machena akaatevera; namapfumbu akabudira kunyika yezasi.

6:7b.ZEC.006.007 Anesimba akabudawo, akatsvaka kuenda kuti apote-pote nenyika yose; ikati, Ibvai pano, mupote-pote nenyika yose.

6:8b.ZEC.006.008 Ipapo akadanidzira kwandiri, akataura neni, achiti, Tarira, vanoenda kunyika yokumusoro, vakanyaradza mweya wangu kunyika yokumusoro. Korona pamusoro waJoshua

6:9b.ZEC.006.009 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,

6:10b.ZEC.006.010 Tora vamwe kunavakatapwa, vanoti Heridhai, naTobhiya, naJedhaia; uuye nezuva irero upinde mumba maJosia mwanakomana waZefaniya, kwavakasvika vachibva Babhironi;

6:11b.ZEC.006.011 utore kwavari sirivha nendarama, uite korona, uidzike pamusoro waJoshua mwanakomana waJehozadhaki, mupirisiti mukukru;

6:12b.ZEC.006.012 utaure naye, uchiti, Zvanzi naJehovha wehondo, tarira, murume ane zita rinonzi Davi; iye achakura panzvimbo yake, iye achavaka temberi yaJehovha;

6:13b.ZEC.006.013 ndiye achavaka temberi yaJehovha; iye achava noumambo, uye achagara pachigaro chake achibata ushe; achava mupirisiti pachigaro chake choushe; rangano yorugare ichava pakati pavo ivo vaviri.

6:14b.ZEC.006.014 Korona dzichava dzaHeremi, naTobhiya, naJedhaia, naHeni mwanakomana waZefaniya, chive chiyeudzo mutemberi yaJehovha.

6:15b.ZEC.006.015 Vari kure vachauya vachivaka temberi yaJehovha; ipapo muchaziva kuti Jehovha wehondo ndiye akanditumira kwamuri. Izvezvi zvichaitika kana muchiteerera zvakanaka izwi raJehovha Mwari wenyu.

7

7:1b.ZEC.007.001 Zvino negore rechina ramambo Dhariusi shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya nezuva rechina romwedzi wepfumbamwe, iwo weKisirevhi.

7:2b.ZEC.007.002 Zvino vanhu veBhetieri vakanga vatuma Sharezeri naRegemimereki, navanhu vavo, kundokumbira nyasha kuna Jehovha,

7:3b.ZEC.007.003 nokutaura navapirisiti veimba yaJehovha wehondo navaporofita, vachiti, Ko ndochema nomwedzi wechishanu, ndichizviparadzanisa navamwe, sezvandaiita makore awa mazhinji here?

7:4b.ZEC.007.004 Ipapo shoko raJehovha wehondo rakasvika kwandiri, richiti,

7:5b.ZEC.007.005 Taura navanhu vose venyika ino, navapirisiti, uti, Zvamaizvinyima zvokudya muchichema nomwedzi wechishanu nowechinomwe, makore ano anamakumi manomwe, maitongozvinyima zvokudya nokuda kwangu, nokuda kwangu here?

7:6b.ZEC.007.006 Kana muchidya, kana muchinwa, hamuzvidyiri nokuzvinwira here?

7:7b.ZEC.007.007 Ko haazi mashoko aJehovha aakadanidzira navaporofita vakare, Jerusaremu richakagarwa navanhu richinomufaro, iro namaguta aro ose akaripoteredza, nenyika yezasi yenyika yamapani dzichina vanhu.

7:8b.ZEC.007.008 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya, richiti,

7:9b.ZEC.007.009 Ndizvo zvakataura Jehovha wehondo, achiti, Ruramisirai kwazvo pakutonga, mumwe nomumwe aitire hama yake unyoro netsitsi;

7:10b.ZEC.007.010 regai kumanikidza chirikadzi, kana nherera, kana mutorwa, kana murombo; kurege kuva nomumwe wenyu anofungira hama yake zvakaipa pamwoyo pake.

7:11b.ZEC.007.011 Asi vakaramba kuteerera, vakabvisa fudzi ravo, nokudzivira nzeve dzavo kuti varege kunzwa.

7:12b.ZEC.007.012 Zvirokwazvo, mwoyo yavo vakaiita sedhaimani, kuti varege kunzwa murayiro namashoko akatumwa naJehovha wehondo noMweya wake navaporofita vakare; saka kutsamwa kukuru kwakabuda kuna Jehovha wehondo.

7:13b.ZEC.007.013 Zvino sezvaakadana, ivo vakaramba kunzwa, saizvozvo ivo vachadanawo ini ndicharamba kunzwa ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo;

7:14b.ZEC.007.014 asi ndichavaparadzira nechamupupuri pakati pendudzi dzose dzavakanga vasingazivi. Naizvozvo nyika yakava dongo shure kwavo, kukasava nomunhu akaenda kana kudzoka neko; nokuti vakaparadza nyika yakanga ichifadza.

8

8:1b.ZEC.008.001 Zvino shoko raJehovha wehondo rakasvika kwandiri, richiti,

8:2b.ZEC.008.002 Zvanzi naJehovha wehondo, Ndine godo pamusoro peZiyoni, godo guru, ndine godo pamusoro paro, dziri shungu kwadzo.

8:3b.ZEC.008.003 Zvanzi naJehovha, Ndakadzokera paZiyoni, ndichagara pakati peJerusaremu; Jerusaremu richanzi guta rezvokwadi, uye gomo raJehovha richanzi gomo dzvene.

8:4b.ZEC.008.004 Zvanzi naJehovha wehondo, Vatana navachembere vachagarazve munzira dzomuguta reJerusaremu, murume mumwe nomumwe ano mudonzvo wake nemhaka yokukwegura kwake.

8:5b.ZEC.008.005 Nzira dzomuguta dzichazara navakomana navasikana vanotamba munzira dzaro.

8:6b.ZEC.008.006 Zvanzi naJehovha wehondo, Kana zvichishamisa pamberi pavanhu ava vakasara namazuva iwayo, ko zvingashamisa pamberi pangu here? Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.

8:7b.ZEC.008.007 Zvanzi naJehovha wehondo, Tarirai, ndichaponesa vanhu vangu kunyika yamabvazuva, nokunyika yamavirira;

8:8b.ZEC.008.008 ndichavauyisa, vagare pakati peJerusaremu; vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo nezvokwadi nokururama.

8:9b.ZEC.008.009 Zvanzi naJehovha wehondo, Maoko enyu ngaasimbe, iyemi munonzwa mashoko awa mazuva ano pamiromo yavaporofita, vaivapo nezuva rakateyiwa nheyo dzeimba yaJehovha wehondo, iyo temberi, kuti ivakwe.

8:10b.ZEC.008.010 Nokuti mazuva iwayo asati asvika, kwakanga kusino mubayiro womunhu kana mubayiro wezvipfuwo; kwakanga kusino rugare kunoaibuda kana kune aipinda, nemhaka yomudzivisi, nokuti ndairwisanisa vanhu vose mumwe nomumwe nowokwake.

8:11b.ZEC.008.011 Asi zvino handichazovi kuna vanhu ava vakasara sapamazuva akare, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.

8:12b.ZEC.008.012 Nokuti mbeu yorugare ichavapo; muzambiringa uchabereka zvibereko zvawo, nyika ichabereka zvayo, denga richabudisa dova raro; vanhu ava vakasara ndichavagarisa nhaka yezvinhu izvi zvose.

8:13b.ZEC.008.013 Zvino sezvamaiva chinhu chakatukwa pakati pendudzi dzavanhu, imi imba yaJudha nemi imba yaIsiraeri, saizvozvo ndichakuponesai, muve chinhu chinoropafadza. Regai kutya, asi maoko enyu asimbe.

8:14b.ZEC.008.014 Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Sezvandakafunga kukuitirai zvakaipa, nguva yandakatsamwiswa namadzibaba enyu, ini ndikasazvidemba ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo;

8:15b.ZEC.008.015 saizvozvowo ndakafunga mazuva ano kuitira Jerusaremu zvakanaka uye neimba yaJudhawo; regai kutya.

8:16b.ZEC.008.016 Hezvi zvinhu zvamunofanira kuita: Mumwe nomumwe ngaareve zvokwadi kunowokwake; tongai nezvokwadi norugare mumasuo enyu;

8:17b.ZEC.008.017 kurege kuva nomumwe wenyu anofungira wokwake zvakaipa mumwoyo make; musada kupika kwenhema; nokuti zvinhu izvi zvose ndinozvivenga, ndizvo zvinotaura Jehovha.

8:18b.ZEC.008.018 Zvino shoko raJehovha wehondo rakasvika kwandiri, richiti,

8:19b.ZEC.008.019 Zvanzi naJehovha wehondo, Kuzvinyima zvokudya nomwedzi wechina, nokuzvinyima zvokudya nomwedzi wechishanu, nokuzvinyima zvokudya nomwedzi wechinomwe, nokuzvinyima zvokudya nomwedzi wegumi, zvinofanira kuva kuimba yaJudha mufaro nokufarisisa, nemitambo inomufaro; saka idai zvokwadi norugare.

8:20b.ZEC.008.020 Zvanzi naJehovha wehondo, Ndudzi dzavanhu dzichauyazve, navagere mumaguta mazhinji;

8:21b.ZEC.008.021 vagere muguta rimwe vachaenda kune rimwe, vachiti, Handei, tichimbidzike kundokumbira nyasha kuna Jehovha, tindotsvaka Jehovha wehondo; neni ndichaendawo.

8:22b.ZEC.008.022 Zvirokwazvo, ndudzi zhinji dzavanhu namarudzi anesimba achauya kuzotsvaka Jehovha wehondo paJerusaremu, nokukumbira nyasha kuna Jehovha.

8:23b.ZEC.008.023 Zvanzi naJehovha wehondo, Namazuva iwayo varume vane gumi pandimi dzose dzendudzi dzavanhu vachabata nguo yomunhu ari muJudha, vachiti, Tichaenda newe, nokuti takanzwa kuti Mwari anemi.

9

9:1b.ZEC.009.001 Chirevo cheshoko raJehovha pamusoro penyika yeHadhiraki, uye paDhamasiko ndipo parichagara; nokuti ziso raJehovha rinotarira vanhu nendudzi dzose dzaIsiraeri;

9:2b.ZEC.009.002 uye Hamatiwo, rakabatana navo; uye Tire neSidhoni, nokuti vakachenjera kwazvo.

9:3b.ZEC.009.003 Tire rakazvivakira nhare, rikazviunganidzira sirivha seguruva, nendarama yakaisvonaka samatope ari munzira dzomumusha.

9:4b.ZEC.009.004 Tarirai, Jehovha acharikunda, achawisira simba raro mugungwa; richapedzwa nomoto.

9:5b.ZEC.009.005 Ashikeroni richazviona, ndokutya; uye Gazawo, rikarwadziwa zvikuru; uye Ekironi, nokuti richanyadziswa pane zvarakatarira; mambo achaparara paEkironi, Ashikeroni haringagarwi navanhu.

9:6b.ZEC.009.006 Mwanakomana woupombwe achagara paAshidhodhi, uye ndichaparadza kuzvikudza kwavaFirisitia.

9:7b.ZEC.009.007 Ndichabvisa ropa mumuromo make, nezvinonyangadza zvake zviri pakati pameno ake; iyewo achasarira Mwari wedu; achava somuchinda paJudha, uye Ekironi somuJebhusi.

9:8b.ZEC.009.008 Ndichakomberedza imba yangu nemisasa ndidzivirire hondo, kurege kuva nomunhu anopfuura napo kana kudzoka napo; hakungazovi nomumanikidzi anofamba napo; nokuti zvino ndazviona nameso angu. Mambo weZiyoni noushe hwake hworugare

9:9b.ZEC.009.009 Fara kwazvo, iwe mukunda weZioni; pururudza iwe mukunda weJerusaremu, tarira, mambo wako anouya kwauri; ndiye akarurama, ndiye anokunda; anozvininipisa, akatasva mbongoro, iyo mhuru mwana wembongoro.

9:10b.ZEC.009.010 Ndichaparadza ngoro pakati paEfuremu, namabhiza paJerusaremu; uta hwokurwa huchaparadzwa; uchataurira ndudzi dzavanhu rugare; ushe hwake huchabva pagungwa kusvikira kumigumo yenyika.

9:11b.ZEC.009.011 Kana uriwewo, nokuda kweropa resungano yako, ndakasunungura vasungwa vako mugomba risine mvura.

9:12b.ZEC.009.012 Dzokerai kunhare imi vasungwa vanetariro; ikonhasi ndinokuudzai kuti ndichakupai migove miviri.

9:13b.ZEC.009.013 Nokuti ndakazvikungira Judha souta, ndikaisamo Efuremu semiseve; ndichamutsa vanakomana vako, iwe Ziyoni, varwe navanakomana vako, iwe Girisi; ndichakuita somunondo wemhare.

9:14b.ZEC.009.014 Jehovha achaonekwa pamusoro pavo, museve wake uchabuda semheni; Ishe Jehovha acharidza hwamanda, achafamba nezvamupupuri zvinobva zasi.

9:15b.ZEC.009.015 Jehovha wehondo achavadzitira; vachaparadza, vachatsika pasi mabwe echipfuramabwe; vachanwa, vachiita ruzha savanhu vakabatwa newaini; vachazadzwa sembiya, samakona earitari.

9:16b.ZEC.009.016 Jehovha Mwari wavo achavaponesa nezuva iro seboka ravanhu vake;nokuti vachafanana namabwe ekorona, anovaima kumusoro kwenyika yake.

9:17b.ZEC.009.017 Nokuti kufara kwavo kuchava kukuru sei, nokunaka kwavo kuchava kukuru sei! Zviyo zvichakurisa majaya, waini itsva ichakurisa mhandara.

10

10:1b.ZEC.010.001 Kumbirai kuna Jehovha mvura nenguva yemvura yokupedzisira, achavapa mvura inonaya kwazvo, mumwe nomumwe ave nezvinomera mumunda.

10:2b.ZEC.010.002 Nokuti terafimi dzakataura zvisina maturo, vawuki vakaona nhema, vakaudza vanhu kurota kwenhema, vanovaraidza pasina; saka vanozviindira samakwai, vanotambudzika nokushaiwa mufudzi.

10:3b.ZEC.010.003 Kutsamwa kwangu kwakamukira vafudzi, ndicharova mutungamiriri; nokuti Jehovha wehondo wakashanyira boka rake, iyo imba yaJudha, achavaita sebhiza rake rakanaka pakurwa.

10:4b.ZEC.010.004 Kwaari kuchabva ibwe rekona, kwaari mbambo, kwaari uta hwehondo, kwaari vabati vose pamwechete.

10:5b.ZEC.010.005 Vachava semhare dzinotsika vavengi vadzo pasi pakurwa mumatope enzira dzomumusha; vacharwa nokuti Jehovha anavo; vatasvi vamabhiza vachanyadziswa.

10:6b.ZEC.010.006 Ndichasimbisa imba yaJudha, ndichaponesa imba yaJosefa, nokuvadzoserazve, nokuti ndichavanzwira nyasha; vachava savanhu vasina kurashwa neni; nokuti ndini Jehovha Mwari wavo, ndichavanzwa.

10:7b.ZEC.010.007 VaEfuremu vachava semhare, mwoyo yavo ichafara savanhu vakabatwa newaini; zvirokwazvo vana vavo vachazviona, vakafara; mwoyo yavo ichafara munaJehovha.

10:8b.ZEC.010.008 Ndichavaridzira muridzo, ndivaunganidze; nokuti ndakavadzikinura; vachawanda sezvavaiwanda kare.

10:9b.ZEC.010.009 Ndichavakusha pakati pendudzi dzavanhu; vachandirangarira kunyika dziri kure; vachararama pamwechete navana vavo, vakadzoka.

10:10b.ZEC.010.010 Ndichavadzosazve panyika ndichavaunganidza ndichavabvisa paAsiria; ndichavasvitsa kunyika yeGiriyadhi neRebhanoni; vachashaiwa pokugara.

10:11b.ZEC.010.011 Vachafamba nomugungwa rokutambudzika, acharova mafungu mugungwa, pakadzika pose muNairi pachapwa; kuzvikudza kweAsira kuchaderedzwa, tsvimbo youshe yeIjipiti ichabviswa.

10:12b.ZEC.010.012 Ndichavasimbisa muna Jehovha, vachafamba muzita rangu, ndizvo zvinotaura Jehovha.

11

11:1b.ZEC.011.001 Zarura mikova yako, iwe Rebhanoni, kuti moto upedze misidhari yako.

11:2b.ZEC.011.002 Ungudza iwe musipiresi, nokuti musidhari wawira pasi, nokuti miti yakanaka kwazvo yaparadzwa; ungudzai, imi miouki yeBhashani, nokuti dondo risingabviri kupindwa ratemwa.

11:3b.ZEC.011.003 Inzwai izwi rokuungudza kwavafudzi ! Nokuti kukudzwa kwavo kwaparadzwa; inzwai izwi rokuwomba kwavana veshumba! Nokuti kuzvikudza kwaJorodhani kwaitwa dongo. Mufudzi akanaka nomufudzi akaipa

11:4b.ZEC.011.004 Zvanzi naJehovha Mwari wangu, Fudza makwai anozourawa;

11:5b.ZEC.011.005 iwo anourawa navana vawo, vasine mhosva; vanoatengesa vanoti, Jehovha ngaavongwe, nokuti ndakafuma; vafudzi vawo havane tsitsi nawo.

11:6b.ZEC.011.006 Nokuti handichazovi netsitsi navagere munyika ndizvo zvinotaura Jehovha; asi tarirai, ndichaisa vanhu avo, mumwe nomumwe muruoko rwookwake, nomuruoko rwamambo wake; vachaparadza nyika, ini ndisingavarwiri paruoko rwavo.

11:7b.ZEC.011.007 Saka ini ndakafudza makwai aizourawa, zvirokwazvo aiva makwai aizourawa, zvirokwazvo aiva makwai anonzwisa urombo. Ndikatora tsvimbo mbiri, imwe ndikaitumidza zita rinonzi, Kunaka, imwe ndikaitumidza zita rinonzi Zvisungo; ndikafudza makwai.

11:8b.ZEC.011.008 Ndikaparadza vafudzi vatatu nomwedzi mumwe, nokuti mweya wangu wakanga waneta navo, nemweya yavo yakandisemawo.

11:9b.ZEC.011.009 Ipapo ndikati, Handichadi kukufudzai; chinoda kufa ngachife hacho, chinofanira kuparadzwa, ngachiparadzwe hacho; akasara ngaadye mumwe nomumwe nyama yomumwe.

11:10b.ZEC.011.010 Ipapo ndakatora tsvimbo yangu yainzi, Kunaka, ndikaivhuna-vhuna, kuti ndiputse sungano yangu yandakanga ndaita nendudzi bose dzavanhu.

11:11b.ZEC.011.011 ikavhuniwa nezuva iro; naizvozvo varombo pakati pamakwai, vakanditeerera, vakaziva kuti ishoko raJehovha.

11:12b.ZEC.011.012 Ndikati kwavari, Kana muchiti zvakanaka, chindipai mubayiro wangu; kana zvisakanaka, regai. Ipapo vakandiyerera mubayiro wangu, masirivha ana makumi matatu.

11:13b.ZEC.011.013 Jehovha akati kwandiri, Chizvikandira kumuumbi wehari; ndiwo mutengo wakanaka wandakatengwa nawo navo. Ini ndikatora masirivha ana makumi matatu, ndikaakandira kumuumbi wehari mumba maJehovha.

11:14b.ZEC.011.014 Ipapo ndikavhuna-vhuna imwe tsvimbo yangu, yainzi, Zvisungo, kuti ndiputse ukama hwaiva pakati paJudha nalsiraeri.

11:15b.ZEC.011.015 Ipapo Jehovha akati kwandiri, Chitorazve nhumbi dzomufudzi bedzi.

11:16b.ZEC.011.016 Nokuti tarirai, ndichamutsa panyika ino mufudzi asingavi nehanya naakarashika, kana kutsvaka akapararira, kana kurapa akavhunika, kana kufudza anovata; asi achadya nyama yaakakora, nokubvamburanya mahwanda awo.

11:17b.ZEC.011.017 Ane nhamo mufudzi asina maturo, anosiya makwai! Munondo uchatema ruoko rwake neziso rake rorudyi; ruoko rwake ruchaoma chose, uye ziso rake rorudyi richasvibirwa chose.

12

12:1b.ZEC.012.001 Chirevo cheshoko raJehovha pamusoro paIsiraeri. Zvanzi naJehovha, iye anotatamura denga rose, anoteya nheyo dzenyika, nokuumba mweya womunhu mukati make,

12:2b.ZEC.012.002 Tarirai, ndichaita Jerusaremu mukombe wokudzedzeresa ndudzi dzose dzavanhu vakapoteredza; uchavawo pamusoro paJudha pakukombwa kweJerusaremu.

12:3b.ZEC.012.003 Nezuva iro ndichaita Jerusaremu ibwe rinoremedza ndudzi dzose dzavanhu; vose vanozvitakudza iro vachakuvadzwa kwazvo; ndudzi dzose dzenyika dzichariunganira kuzorwa naro.

12:4b.ZEC.012.004 Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha ndicharova bhiza rimwe nerimwe nokutya, nomutasvi waro nokupenga; ndichasvinudzira imba yaJudha meso angu, nokurova bhiza rimwe nerimwe rendudzi dzavanhu nokupofumara.

12:5b.ZEC.012.005 Ipapo madzishe aJudha achati mumwoyo mavo, Vagere Jerusaremu ndivo simba redu muna Jehovha wehondo, Mwari wavo.

12:6b.ZEC.012.006 Nezuva iro ndichaita madzishe aJudha segango romoto pakati pehuni, uye sezhenje romoto pakati pezvisote; vachaparadza ndudzi dzose dzavanhu vakapoteredza, kuruoko rworudyi nokuruoko rworuboshwe; veJerusaremu vachagarazve panzvimbo yavo, ipo paJerusaremu.

12:7b.ZEC.012.007 Jehovha achatanga kuponesawo matende aJudha, kuti kukudzwa kweimba yaDhavhidhi nokukudzwa kwavagere Jerusaremu kurege kupfuura kukudzwa kwaJudha.

12:8b.ZEC.012.008 Nezuva iro Jehovha achadzitira vagere Jerusaremu; anoshaiwa simba pakati pavo nezuva iro achava saDhavhidhi; imba yaDhavhidhi ichava saMwari, somutumwa waJehovha pamberi pavo.

12:9b.ZEC.012.009 Zvino nezuva iro ndichatsvaka kuparadza ndudzi dzose dzavanhu dzinomukira Jerusaremu.

12:10b.ZEC.012.010 Ndichadira mweya wenyasha nowokunyengetera pamusoro peimba yaDhavhidhi, napamusoro pavagere Jerusaremu; vachanditarira ini, wavakabvowora; vachamuchema iye, somunhu unochema mwanakomana wake mumwechete, vachava neshungu kwazvo pamusoro pake, somunhu ane shungu pamusoro pomwana wake wedangwe.

12:11b.ZEC.012.011 Nezuva iro paJerusaremu pachava nokuchema kukuru, sokuchema kweHadhadhihimoni mumupata waMegidhoni.

12:12b.ZEC.012.012 Nyika ichachema, veimba imwe neimwe vari voga; veimba yaDhavhidhi vari voga, navakadzi vavo vari voga, veimba yaNatani vari voga, navakadzi vavo vari voga;

12:13b.ZEC.012.013 naveimba yaRevhi vari voga, navakadzi vavo vari voga; veimba yavaShimei vari voga, navakadzi vavo vari voga;

12:14b.ZEC.012.014 nedzimba dzose dzakasara, veimba imwe neimwe vari voga, navakadzi vavo vari voga.

13

13:1b.ZEC.013.001 Nezuva iro imba yaDhavhidhi. navagere Jerusaremu vachadziurirwa tsime, rokusuka zvivi netsvina.

13:2b.ZEC.013.002 Zvino nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, Ndichabvisa mazita ezvifananidzo panyika, arege kuzorangarirwa; ndichabudisawo vaporofita nemweya yetsvina panyika.

13:3b.ZEC.013.003 Zvino kana ani naani achiporofita, baba vake namai vake, vakamubereka, vachati kwaari, Haungararami, nokuti unoreva nhema nezita raJesu baba vake namai vake, vakamubereka, vachabvovora kana achiporofita.

13:4b.ZEC.013.004 Zvino nezuva iro vaporofita vachanyadziswa mumwe nomumwe nechaanoona, kana achiporofita, havangapfeki nguo yemvere vachiti tinonyengera vanhu;

13:5b.ZEC.013.005 asi achati, Handizi muporofita, ndiri murimi wevhu; nokuti ndakaitwa muranda kubva pauduku hwangu.

13:6b.ZEC.013.006 Kana mumwe akati kwaari, Ko mavanga awa ari pakati pezvanza zvako ndeeiko? Ipapo achapindura, achiti, Ndipo pandakakuvadzwa mumba meshamwari dzangu.

13:7b.ZEC.013.007 Muka, iwe munondo, urwe nomufudzi wangu, uye munhu shamwari yangu, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, rova mufudzi, makwai agoparadzirwa; ini ndichatambanudzira ruoko rwangu kuvaduku.

13:8b.ZEC.013.008 Zvino munyika yose ndizvo zvinotaura Jehovha migove miviri ichaparadzwa ndokufa; asi wechitatu acharegwamo.

13:9b.ZEC.013.009 Mugove wechitatu ndichaupinza mumoto, ndichavanatsa sezvinonatswa sirivha, ndichavaidza sezvinoidzwa ndarama. Vachadana zita rangu, ini ndichavanzwa; ini ndichati, Ndivo vanhu vangu, ivo vachati, Jehovha ndiMwari wangu.

14

14:1b.ZEC.014.001 Tarirai, zuva raJehovha rinosvika, nenguva iyo zvawakapamba zvichagoverwa mukati mako.

14:2b.ZEC.014.002 Nokuti ndichaunganidza ndudzi dzose dzavanhu kuzorwa neJerusaremu; guta richakundwa, dzimba dzichapambwa, navakadzi vavo vachachinyiwa; hafu yeguta vachatapwa, asi vakasara vavanhu havangabviswi muguta.

14:3b.ZEC.014.003 Ipapo Jehovha achabuda, ndokurwa nendudzi idzedzo, sezvaakarwa nezuva rehondo.

14:4b.ZEC.014.004 Nezuva iro tsoka dzake dzichamira pagomo reMiorivhi, riri pamberi peJerusaremu kurutivi rwamabvazuva; gomo reMiorivhi richapamuka napakati, zvichibva kumabvazuva zvichienda kumavirazuva, kukavapo mupata mukuru kwazvo; imwe hafu yegomo ichatsedukira kurutivi rwokumusoro, imwe hafu yaro kurutivi rwezasi.

14:5b.ZEC.014.005 Muchatiza nomumupata wamakomo angu, nokuti mupata wamakomo uchandosvika paAzeri; zvirokwazvo muchatiza, sezvamakatiza kudengenyeka kwenyika pamazuva aUziya mambo waJudha; ipapo Jehovha Mwari wenyu achauya, navatsvene vose pamwechete newe.

14:6b.ZEC.014.006 Zvino nezuva iro chiedza chichashaikwa, zvinopenya zvichadzimwa.

14:7b.ZEC.014.007 Asi richava zuva rimwe rinozikanwa naJehovha, hapangavi namasikati kana husiku, asi nenguva yamadekwana chiedza chichavapo.

14:8b.ZEC.014.008 Zvino nezuva iro mvura mhenyu zhinji ichabuda muJerusaremu; imwe hafu yayo ichayerera kugungwa rokumabvazuva, imwe hafu yayo kugungwa rokumavirazuva; zvichaitwa pazhizha napachando.

14:9b.ZEC.014.009 Jehovha achava Mambo wenyika yose; nezuva iro Jehovha achava mumwechete, nezita rake rimwechete.

14:10b.ZEC.014.010 Nyika yose ichaita sebani, zvichibva Gebha kusvikira paRimoni, kurutivi rwezasi rweJerusaremu; iro richakwiridzwa, richagara panzvimbo yaro, kubva pasuo raBhenjamini kusvikira kunzvimbo yesuo rokutanga, kusvikira kusuo rekona, nokubva kurutura rwaHananeri kusvikira kuzvishiro zvewaini zvamamabo.

14:11b.ZEC.014.011 Vanhu vachagaramo; kutukwa hakungazovipo, asi Jerusaremu richagara rakachengetwa.

14:12b.ZEC.014.012 Uku ndiko kurova Jehovha kwaacharova nako ndudzi dzose dzavanhu vakarwa neJerusaremu, nyama yavo ichaora vamire namakumbo avo, meso avo achaorera mumakomba awo, norurimi rwavo ruchaorera mumiromo yavo.

14:13b.ZEC.014.013 Zvino nezuva iro kunyonganiswa kukuru kunobva kuna Jehovha kuchavapo pakati pavo; mumwe nomumwe achabata ruoko rwowokwake, uye ruoko rwake ruchasimudzirwa ruoko rwowokwake.

14:14b.ZEC.014.014 Judha vacharwawo paJerusaremu; fuma yendudzi dzose dzavanhu vakapoteredza ichaunganidzwa, inoti ndarama, nesirivha, nenguo, zvizhinji kwazvo.

14:15b.ZEC.014.015 Sezvakaita kurohwa uku, ndizvo zvichaitawo kurohwa kwamabhiza namahesera, nengamera, nembongoro, nezvipfuwo zvose zvichavapo pamisasa iyo.

14:16b.ZEC.014.016 Zvino vose vakasara vendudzi dzose dzakarwa neJerusaremu, vachakwira gore rimwe nerimwe kundonamata Mambo, iye Jehovha wehondo, nokutamba mutambo wamatumba.

14:17b.ZEC.014.017 Ani naani pamarudzi enyika asingakwiri Jerusaremu kundonamata Mambo, Jehovha wehondo, haanganisirwi mvura.

14:18b.ZEC.014.018 Kana rudzi rwavaljipiti rusingakwiri, vakasasvikapo, naivo vachavingwa nokurohwa Jehovha kwaacharova nako ndudzi dzavanhu dzinoramba kukwira kundotamba mutambo wamatumba.

14:19b.ZEC.014.019 Uku ndiko kurohwa kwavaIjipiti nokurohwa kwendudzi dzose dzinoramba kukwira kundotamba mutambo wamatumba.

14:20b.ZEC.014.020 Nezuva iro pamatare anorira amabhiza pachanyorwa, pachiti, ZVITSVENE KUNA JEHOVHA; nehari dziri mumba maJehovha dzichafanana nembiya dziri pamberi pearitari.

14:21b.ZEC.014.021 Zvirokwazvo, hari imwe neimwe paJerusaremu napaJudha ichava tsvene kuna Jehovha wehondo; vose vanoda kubayira vachauya vachidzitora, kuzobikiramo; nezuva iro hapachazovi nomuKanani mumba maJehovha wehondo.


Holder of rights
Multilingual Bible Corpus

Citation Suggestion for this Object
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Zechariah (Shona). Zechariah (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5C6-A