Habakkuk (Shona)
1
1:1b.HAB.001.001 Shoko raMwari rakaonekwa nomuporofita Habhakuki.
1:2b.HAB.001.002 Aiwa, Jehovha, ndichadana kusvikira riniko, imi musinganzwi? Ndinodana kwamuri pamusoro pokuitirwa simba, asi hamundiponesi.
1:3b.HAB.001.003 Munondiratidzireiko zvakaipa, munotarireiko zvisakarurama? Nokuti kuparadza nokuitira vamwe simba zviri pamberi pangu; rukave ruripo, uye kukakavara kunomuka.
1:4b.HAB.001.004 Saka murayiro haune simba, uye kururamisira vamwe hakuchaonekwi; nokuti vakashata vanokomba vakarurama; saka kururamisira vamwe kunongoonekwa kwakaminama.
1:5b.HAB.001.005 Tarirai pakati pamarudzi, muone, mushamiswe kwazvo-kwazvo; nokuti ndinobata basa pamazuva enyu, ramucharamba kutenda kunyange muchizviudzwa.
1:6b.HAB.001.006 Nokuti tarirai, ndinomutsa vaKaradhea, rudzi rune hasha runopenga, vanofamba panyika pose, kuti vazvitorere ugaro husati huri hwavo.
1:7b.HAB.001.007 Vanotyisa nokukarudza; kutonga kwavo nokukudzwa kwavo kunobva kwavari vamene.
1:8b.HAB.001.008 Mabhiza avowo anomhanya achipfuura ingwe, ane hasha kupfuura mapere amadekwana; vatasvi vavo vamabhiza vanomhanya vachiuruka, zvirokwazvo vatasvi vavo vamabiza vanouya vachibva kure, vanobhururuka segondo rinokurumidzira kudya.
1:9b.HAB.001.009 Vanouya vose kuzoita simba; zviso zvavo zvakatarira mberi; vanounganidza vatapwa sejecha.
1:10b.HAB.001.010 Zvirokwazvo vanodadira madzimambo, machinda anosekwa navo; vanoseka nhare dzose, nokuti vanodzitutira guruva ndokudzikunda.
1:11b.HAB.001.011 Ipapo vanopfuura semhepo, ndokuenda, asi vane mhosva, ivo vanoita simba ravo mwari wavo. Muporofita anokumbirira vaJudha
1:12b.HAB.001.012 Imi Jehovha, Mwari wangu, Mutsvene wangu, hamuzakavapo kubva pakutangatanga here? Isu hatingafi. Jehovha, imi makatema kuti vatonge, nemi dombomakavaisapo kuti varange,
1:13b.HAB.001.013 Imi, muna meso akaisvonaka, asingadi kutarira zvakaipa, musingadi kuona zvisakarurama, munotaririreiko vanonyengera, muchinyarara kana akashata achimedza akamupfuura nokururama;
1:14b.HAB.001.014 muchiita vanhu sehove dzegungwa, sezvinokambaira, zvisina mubati?
1:15b.HAB.001.015 Vanovaredza vose nechiredzo chavo, vanovabata mumumbure wavo, vachivaunganidzira murutava rwavo; naizvozvo vanofara kwazvo vanomufaro.
1:16b.HAB.001.016 Naizvozvo vanobayira mumbure wavo, nokupisira rutava rwavo zvinonhuwira, nokuti mugove wavo wakakora nazvo, zvokudya zvavo zvawanda.
1:17b.HAB.001.017 Zvino vangadurura zviri mumumbure wavo, vakaramba vachiuraya marudzi avanhu here?
2
2:1b.HAB.002.001 Ndichandomira panzvimbo yangu yokurindira, ndichazviisa panharire yangu, ndichatarira ndione zvaachataura neni, uye zvandingapindura pamusoro pokuchema kwangu.
2:2b.HAB.002.002 Jehovha akandipindura, akati, Nyora zvawaratidzwa, zvionekwe kwazvo pamahwendefa, kuti zvigone kurahwa noanomhanya.
2:3b.HAB.002.003 Nokuti zvakaratidzwa izvi ndezvenguva yakatarwa, zvovavarira kuguma, hazvingarevi nhema; kunyange zvikanonoka, uzvimirire, nokuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru.
2:4b.HAB.002.004 Tarirai, mweya wavo una manyawi, hauna kururama mukati mavo; asi akarurama achararama nokutenda kwake.
2:5b.HAB.002.005 Uyezve, zvirokwazvo, waini inonyengera, murume anozvikudza, asingagari kumba kwake, akashamisa kukara kwake seSheori, akafanana norufu; haangaguti, asi anozviunganidzira marudzi ose, unozvikokerera marudzi ose avanhu.
2:6b.HAB.002.006 Ko ava vose havangaimbi rwiyo pamusoro pake, nokumudadira nechirabwe, vachiti, Ane nhamo anowanza zvisati zviri zvake! Kusvikira riniko? Uye anozviremedza nezvikwereti!
2:7b.HAB.002.007 Vachakurumai havangasimuki pakarepo, vanokumanikidzai havangamuki here, imi mukapambwa navo?
2:8b.HAB.002.008 Imi zvamakapamba marudzi mazhinji, vose vakasara vamarudzi avanhu vachakupambai nemhaka yeropa ravanhu, uye nemhaka yokuti makaitira nyika simba, neguta navose vageremo.
2:9b.HAB.002.009 Ane nhamo unozviwanira imba yake fuma yakaipa, kuti aise dendere rake kwakakwirira, kuti arwirwe paruoko rwezvakaipa!
2:10b.HAB.002.010 Makaranganira imba yenyu zvinonyadza, zvamakaparadza marudzi mazhinji avanhu, mukatadzira mweya wenyu.
2:11b.HAB.002.011 Nokuti ibwe richadanidzira riri parusvingo, danda riri mudenga richapindura.
2:12b.HAB.002.012 Ane nhamo anovaka musha neropa, anovamba guta nezvakaipa!
2:13b.HAB.002.013 Tarirai, hazvina kubva kuna Jehovha wehondo here kuti vanhu vabatire moto, uye kuti marudzi avanhu azvinetse nokuda kwezvisina maturo?
2:14b.HAB.002.014 Nokuti nyika yose ichazadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha, mvura sezvainofukidza pasi pegungwa.
2:15b.HAB.002.015 Ane nhamo anopa wokwake zvinobata azvinwe, anovhenganisiramo uturu hwenyu, muchimudhakisawo, kuti muone kushama kwavo !
2:16b.HAB.002.016 Mazvigutisa nezvinonyadzisa panzvimbo yezvinokudzwa; chinwai nemiwo, muve soasina kudzingiswa; mukombe worudyi rwaJehovha uchasvikira kwamuri, zvinonyadzisa zvakaipa zvichauya pamusoro pokukudzwa kwenyu.
2:17b.HAB.002.017 Nokuti zvakaipa zvakaitirwa Rebhanoni zvichakufukidzai imi, uye kuparadzwa kwezvipfuwo kwakazvityisa; nemhaka yeropa ravanhu, nemhaka yezvakaipa zvakaitirwa nyika, neguta, navose vageremo.
2:18b.HAB.002.018 Mufananidzo wakavezwa unobatsireiko, zvawavezwa nomuvezi wawo; kana mufananidzo wakaumbwa, iwo mudzidzisi wenhema, iye wakauumba zvaanovimba nawo, zvaakaita zvifananidzo zvisingagoni kutaura?
2:19b.HAB.002.019 Ane nhamo anoti kudanda, Muka! Kana kubwe risingagoni kutaura. Simuka! Zvinhu izvi zvingadzidzisa here? Tarirai, zvakanamirwa nendarama nesirivha, asi hakuna mweya mukati mazvo napaduku.
2:20b.HAB.002.020 Asi Jehovha ari mutemberi yake tsvene, nyika yose ngairambe inyerere pamberi pake.
3
3:1b.HAB.003.001 Munyengetero womuporofita Habhakuki, unoimbwa neShigionoti.
3:2b.HAB.003.002 Aiwa, Jehovha, ndakanzwa mashoko enyu, ndikatya; Aiwa, Jehovha,mutsai basa renyu pakati pamakore; Rizivisei pakati pamakore; Pakutsamwa kwenyu rangarirai nyasha.
3:3b.HAB.003.003 Mwari anouya achibva Temani, Naiye Mutsvene achibva pagomo reParani. Sera. Umambo hwake hunofukidza denga rose, Nyika izere nokurumbidzwa kwake.
3:4b.HAB.003.004 Kupenya kuripo kwakafanana nechiedza; kwezuva kunobuda paruoko rwake, Simba rake rinovandapo.
3:5b.HAB.003.005 Hosha yakaipa inomutungamirira, Mazimbe omoto anobuda patsoka dzake.
3:6b.HAB.003.006 Anomira achiyera nyika; Anotarira, ndokuparadza marudzi avanhu; Makomo asingaperi anopararira; Zvikomo zvisingaperi zvinokotama; Nzira dzake ndedzekare-kare.
3:7b.HAB.003.007 Ndinoona matende eKushani ari panhamo; Micheka yamatende enyika yeMidhiani anodedera.
3:8b.HAB.003.008 Ko Jehovha akatsamwira nzizi here? Hasha dzenyu dzakamukira nzizi here? Kutsamwa kwenyu kwakamukira gungwa here, Zvamunotasva mabhiza enyu, Muchifamba nengoro dzenyu dzoruponeso?
3:9b.HAB.003.009 Uta hwenyu hwakafukurwa kwazvo; Shamhu dzakapikirwa neshoko renyu. Makaparura nyika nenzizi.
3:10b.HAB.003.010 Makomo akakuonai akatya, Kudira kwemvura kwakapfuura; Pakadzika pakabudisa izwi rapo, Pakasimudzira maoko apo kumusoro.
3:11b.HAB.003.011 Zuva nomwedzi zvakamira paugaro hwazvo, Zvichiona chiedza chemiseve yenyu ichipfuura, Zvichiona kupenya kwepfumo renyu rinobwinya.
3:12b.HAB.003.012 Makatsika nyika makatsamwa, Makapura ndudzi mune hasha.
3:13b.HAB.003.013 Makabuda kuzoponesa vanhu venyu, Kuzoponesa muzodziwa wenyu; Makakuvadza musoro weimba yowakaipa, Muchifukura nheyo kusvikira kumutsipa wayo.
3:14b.HAB.003.014 Makabvoora misoro yavarwi vake namapfumo ake; Vakauya sechamupupuri kundiparadza; Kufara kwavo kwakaita sokwavanopedza varombo pakavanda.
3:15b.HAB.003.015 Makatsika gungwa namabhiza enyu, Iwo murwi wemvura zhinji.
3:16b.HAB.003.016 Ndakanzwa, muviri wangu ukadedera, Miromo yangu yakadedera ndichinzwa izwi; Kuora kwakapinda mumapfupa angu, ndikadedera pandakanga ndiri, Nokuti ndinofanira kumirira zuva renjodzi ndinyerere, Kana iye, anozorwa navanhu, achivawira.
3:17b.HAB.003.017 Nokuti kunyange muonde ukasatunga maruva, Nemizambiringa ikashaiwa zvibereko, Kunyange kubereka kwomuorivhi kukakona, Neminda ikasabereka zvokudya; Kunyange makwai akapera muchirugu, Nemombe dzikashaikwa mumatanga,
3:18b.HAB.003.018 Kunyange zvakadaro ndichafara kwazvo muna Jehovha, Ndichava nomufaro muna Mwari woruponeso rwangu.
3:19b.HAB.003.019 Jehovha Ishe isimba rangu, Anoita tsoka dzangu dzive setsoka dzehadzi yenondo, Anondifambisa pamatunhu angu akakwirira. Kumutungamiriri wokuimba, nemitengeranwa yangu.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Habakkuk (Shona). Habakkuk (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5BD-5