Jeremiah (Shona)
1
1:1b.JER.001.001 Mashoko aJeremiya, mwanakomana waHirikia, waiva worudzi rwavapirisiti vaiva paAnatoti panyika yaBhenjamini.
1:2b.JER.001.002 Shoko raJehovha rakauya kwaari pamazuva aJosia, mwanakomana waAmoni, mambo waJudha, negore regumi namatatu rokubata kwake ushe.
1:3b.JER.001.003 Rikauyawo pamazuva aJehoiakimu, mwanakomana waJosia, mambo waJudha, kusvikira pakupera kwegore regumi nerimwe raZedhekia, mwanakomana waJosia, mambo waJudha, kusvikira pakutapwa kwaveJerusaremu nomwedzi wechishanu.
1:4b.JER.001.004 Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,
1:5b.JER.001.005 Ndakakuziva ndisati ndakuumba mudumbu ramai, ndakakuita mutsvene usati wabuda muchizvaro chamai, ndakakugadza kuti uve muporofita wamarudzi avanhu.
1:6b.JER.001.006 Ipapo ndakati, Haiwa, Ishe Mwari, tarirai, handigoni kutaura, nokuti ndiri mwanana hangu.
1:7b.JER.001.007 Asi Jehovha akati kwandiri, Usati ndiri mwanana; nokuti kuna ani naani wandinenge ndichikutuma, unofanira kuenda, nechinhu chipi nechipi chandinenge ndichikuraira, unofanira kuchitaura.
1:8b.JER.001.008 Usatya nokuda kwavo, nokuti zvanzi naJehovha, ndinewe, kuti ndikurwire.
1:9b.JER.001.009 Ipapo Jehovha akatambanudza ruoko rwake, akabata muromo wangu; Jehovha akati kwandiri, Tarira, ndaisa mashoko angu mumuromo mako.
1:10b.JER.001.010 Tarira, ndakugadza zuva ranhasi uve nesimba pamusoro pamarudzi nopoushe, kuti udzure nokukoromora, kuparadza nokuwisira pasi, kuvaka nokurima. Unoratidzwa davi romuamanda negate rinovira
1:11b.JER.001.011 Ipapo shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti, Jeremiya, unoonei? Ndikati, Ndinoona davi romuamanda.
1:12b.JER.001.012 Ipapo Jehovha akati kwandiri,Waona zvakanaka; nokuti ndinosvinurira shoko rangu, kuti ndiriite.
1:13b.JER.001.013 Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri rwechipiri, richiti, Unoonei? Ndikati, Ndinoona gate rinovira, muromo waro unotarira kuno uri kurutivi rwokumusoro.
1:14b.JER.001.014 Ipapo Jehovha akati kwandiri, Kurutivi rwokumusoro ndiko kuchabuda zvakaipa zvichawira vanhu vose vagere panyika ino.
1:15b.JER.001.015 Nokuti zvanzi naJehovha, Tarirai, ndinodana marudzi ose oushe ari kurutivi rwokumusoro; achauya, rumwe norumwe ruchaisa chigaro charwo choushe pavanopinda pamasuo eJerusaremu, namasvingo aro kumativi ose napamaguta ose aJudha, kuzorwa nawo.
1:16b.JER.001.016 Ndichareva zvandakavatongera pamusoro pezvakaipa zvavo zvose, zvavakandirasha, vakapisira vamwe vamwari zvinonhuwira, vakanamata mabasa amaoko avo.
1:17b.JER.001.017 Zvino iwe, chizvisunga chiuno, usimuke, uvaparidzire zvose zvandakakuraira; usavhunduka nokuda kwavo, kuti ndirege kukuvhundusa pamberi pavo.
1:18b.JER.001.018 Nokuti tarira, ndakakuita zuva ranhasi guta rakakomberedzwa, nembiru yedare, namasvingo endarira, urwe nenyika yose, namadzimambo aJudha, namachinda avo, navapirisiti vavo, navanhu venyika.
1:19b.JER.001.019 Vacharwa newe, asi havangakukundi, nokuti ini ndinewe, kuti ndikurwire ndizvo zvinotaura Jehovha.
2
2:1b.JER.002.001 Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,
2:2b.JER.002.002 Enda, undodana munzeve dzaveJerusaremu, uti zvanzi naJehovha, Ndakarangarira pamusoro pako hunyoro hwohuduku hwako norudo rwenguva yokuwanikwa kwako, kuti wakanditevera murenje, munyika yakanga isina kudyarwa.
2:3b.JER.002.003 Isiraeri vakanga vari rudzi rutsvene kuna Jehovha, zvibereko zvitsva zvaakazviwanira; vose vanomudya vachava nemhosva; vachawirwa nezvakaipa ndizvo zvinotaura Jehovha.
2:4b.JER.002.004 Inzwai shoko raJehovha, imi imba yaJakobho, nemhuri dzose dzeimba yaIsiraeri,
2:5b.JER.002.005 Zvanzi naJehovha, Madzibaba enyu akawana zvisakarurama zvipiko kwandiri, zvavakaenda kure neni, zvavakatevera zvisina maturo, ivo vamene vakava vasina maturo?
2:6b.JER.002.006 Uye havana kureva, vachiti, Uripiko Jehovha wakatibudisa panyika yeIjipiti, akatifambisa murenje, munyika ina masango namakomba, munyika yakaoma neyomumvuri worufu, munyika isingafambi nomunhu achipfuurapo, musingagari munhu?
2:7b.JER.002.007 Ndakakusvitsai munyika ineminda yakaorera, kuti mudye zvibereko zvayo nezvakanaka zvayo; asi makati mapinda, mukasvibisa nyika yangu, mukaita nhaka yangu chinhu chinonyangadza.
2:8b.JER.002.008 Vapirisiti havana kuti, Jehovha uripiko? Vaifambisa mirairo vakanga vasingandizivi, vafudzi vaindidarikira, vaporofita vaiporofitira Bhaari, vachitevera zvinhu zvisingabatsiri.
2:9b.JER.002.009 Saka zvanzi naJehovha, Ndicharamba ndichikakavara nemi, ndichakakavara navana vavana venyu.
2:10b.JER.002.010 Nokuti yambukirai kuzviwi zveKitimi, muone; tumai vanhu Kedhari, mufungisise zvakanaka, muone kana kwakambovapo chinhu chakadai.
2:11b.JER.002.011 Ko rudzi ruripo rwakatsinhanhisa vamwari varwo, ivo vasati vari vamwari here? Asi vanhu vangu vakatsinhanisa kukudzwa kwavo nezvinhu zvisingabatsiri.
2:12b.JER.002.012 Shamiswa nechinhu ichi, iwe denga rose, utye zvikuru, uvhunduswe kwazvo ndizvo zvinotaura Jehovha.
2:13b.JER.002.013 Nokuti vanhu vangu vakaita zvinhu zviviri zvakaipa. Vakandisiya, ini tsime remvura mhenyu, vakazvivezera zvirongo, zvirongo zvakaputsika, zvisingagoni kuchengeta mvura.
2:14b.JER.002.014 Isiraeri muranda here? Ko ndiye muranda wakaberekerwa mumba matenzi wake here? Ko zvino wapambwa seiko?
2:15b.JER.002.015 Vana veshumba vakamuombera, vakarira, nokuparadza nyika yake; maguta ake akapiswa, hakuna unogaramo.
2:16b.JER.002.016 Vana veNofi naveTapanesi vakapedza vhudzi romusoro wako.
2:17b.JER.002.017 Ko hauna kuzvitsvaira izvozvo, zvawakasiya Jehovha Mwari wako panguva yaakakufambisa panzira yake here?
2:18b.JER.002.018 Zvino unondotsvakei panzira inoenda Ijipiti, kundonwa mvura yeSihori here? Unondotsvakei panzira inoenda Asiria, kundonwa mvura yoRwizi here?
2:19b.JER.002.019 Zvakaipa zvako zvinokurova, kudzokera kwako shure kunokutuka; naizvozvo zvanzi nalshe Jehovha wehondo, Ziva, uone kuti chinhu chakaipa chinovava kuti wakasiya Jehovha Mwari wako, uye kuti haundityi.
2:20b.JER.002.020 Nokuti yatova nguva huru yawakavhuna joko nokudambura zvisungo zvako ukati,handidi kubatira;nokuti wakafugama pachikomo chipi nechipi chakakwirira pasi pomuti upi noupi mutema uchifeva.
2:21b.JER.002.021 kunyange zvakadaro ndakanga ndakusima uri muzambiringa wakaisvonaka, mbeu kwayo yazvokwadi; zvino wandishandukira sei ukava matavi akaipa omuzambiringa worumwe rudzi?
2:22b.JER.002.022 Nokuti kunyange ukashamba nesoda, ukatora sipo zhinji, kunyange zvakadaro zvakaipa zvako zvakaita segwapa pamberi pangu; ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
2:23b.JER.002.023 Ungareva seiko, uchiti, Handina kusvibiswa, handina kutevera vaBhaari? Cherekedza nzira yako pamupata, uzive chawakaita; uri hadzi yekamera inomhanya, inofamba nenzira dzayo;
2:24b.JER.002.024 uri hadzi yembizi yakarovera renje, inofembedza mhepo nokushuva kwayo; ndiani ungaidzora pakuviga kwayo? Dzose, dzinoitsvaka, hadzinganeti; pamwedzi wayo dzinoiwana.
2:25b.JER.002.025 Usatendera rutsoka rwako kufamba usina shangu, nehuro dzako kuva nenyota. Asi iwe wakati, Hazvina maturo; kwete, nokuti ndakada vatorwa, ndivo vandichatevera.
2:26b.JER.002.026 Mbavha sezvainonyadziswa kana yaonekwa, saizvozvo imba yaIsiraeri yanyadziswa, ivo, namadzimambo avo, namachinda avo, navapirisiti vavo, navaporofita vavo;
2:27b.JER.002.027 ivo, vanoti kudanda, Uri baba vangu; nokubwe, Ndiwe wakandibereka; nokuti vakandifuratira, havana kunditarira nezviso zvavo; asi panguva yokutambudzika kwavo vachati, Simukai, mutiponese.
2:28b.JER.002.028 Zvino varipiko vamwari venyu vamakazviitira? Ngavasimuke kana vachigona kukuponesai panguva yokutambudzika; nokuti kuwanda kwavamwari vako, iwe Jakobho, kwakaenzana namaguta ako.
2:29b.JER.002.029 Munokakavara neni neiko? Imi mose makandidarikira ndizvo zvinotaura Jehovha.
2:30b.JER.002.030 Ndakarova vana venyu pasina, havana kuteerera kurangwa; munondo wenyu ndiwo wakauraya vaporofita venyu, seshumba inoparadza.
2:31b.JER.002.031 Haiwa, imi rudzi rwakadai! Wonai shoko raJehovha. Ko ini ndakanga ndiri renje kuna Isiraeri here? Kana nyika yerima guru here? Vanhu vangu vanorevereiko vachiti, Tinotekeshera hedu, hatichazouyizve kwamuri?
2:32b.JER.002.032 mhandara ingakanganwa zvishongo zvayo, kana mwenga mukonde wake here? Asi vanhu vangu vakandikanganwa mazuva asingaverengwi.
2:33b.JER.002.033 Haiwa, unoziva zvakanaka sei kunatsa nzira yako, kuti utsvake kudikanwa! Saka wakadzidzisa navakadzi vakaipawo nzira dzako.
2:34b.JER.002.034 Pamipendero yenguvo dzako pakawanikwawo ropa ravarombo vasina mhaka; handina kuriwana pakapaziwa imba, asi pane zvizvi zvose.
2:35b.JER.002.035 Kunyange zvakadaro iwe wakati, Handina mhaka; zvirokwazvo kutsamwa kwake kwakadzorwa kwandiri. Tarira, ndichakutonga, zvaunoti, Handina kutadza.
2:36b.JER.002.036 Unofambireiko pose-pose, uchishandura nzira yako? Uchanyadziswa neIjipiti, sezvawakanyadziswa neAsiria.
2:37b.JER.002.037 Naipapowo uchabva wakaisa maoko ako pamusoro wako; nokuti Jehovha wakaramba vaunovimba navo, newe haungabatsirwi navo.
3
3:1b.JER.003.001 Zvinonzi, Kana murume akaramba mukadzi wake, iye akabva kwaari, akandowanikwa nomumwe murume, ko murume ungadzokera kwaarizve here? Ko nyika yakadai haingasvibiswi kwazvo here? Asi iwe wakafeva navadikanwa vako vazhinji; zvino woda kudzokera kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha.
3:2b.JER.003.002 Ringira meso ako kuzvikomo zvisina miti, uone; pavasina kupombora newe ndapapi? Wakavagarira panzira somuArabhia parenje; wasvibisa nyika nokufeva kwako nezvakaipa zvako.
3:3b.JER.003.003 Naizvozvo wakanyimwa mvura inopfunha, nemvura yokupedzisira yakanga isipo; kunyange zvakadaro wakanga une huma yechifeve, ukaramba kunyadziswa.
3:4b.JER.003.004 Ko haungatangi zvino uchidana kwandiri here, uchiti, baba vangu, ndimi muperekedzi wohuduku hwangu?
3:5b.JER.003.005 Ko uchagara akatsamwa nokusingaperi here? Uchagara nako kusvikira pakupedzisira here? Tarira, wakataura izvozvo ukaita zvinhu zvakaipa, ukazvipedzisa. Jehovha anodana vanhu vake kuti vadzokere kwaari
3:6b.JER.003.006 Zvino Jehovha wakatizve kwandiri, namazuva amambo Josia, Waona here zvakaitwa naIsiraeri pakudzokera kwavo shure? Vakakwira pagomo rimwe nerimwe rakakwirira nokupinda pasi pomuti mumwe nomumwe mutema, ndokundofevapo.
3:7b.JER.003.007 Zvino vakati vapedza kuita izvozvo zvose, ini ndakati, vachadzokera kwandiri, asi havana kudzokera; kwandiri nomunununa wavo, Judha, wokusatendeka, vakazviona.
3:8b.JER.003.008 Zvino ndakaona kuti panguva yandakaramba VaIsiraeri, vokudzokera shure, ndikavapa rugwaro rwokuvaramba nemhaka yokufeva kwavo, kunyange zvakadaro munununa wavo, ivo vaJudha, wokusatendeka, havana kutya; asi naivo vakandofevawo.
3:9b.JER.003.009 Zvino nokusarangarira kwavo nyika yakasvibiswa nokufeva kwavo, vakafeva namabwe namatanda.
3:10b.JER.003.010 Kunyange zvinhu izvi zvakadaro zvose, munununa wavo, Judha, havana kudzokera kwandiri nomoyo wavo wose, asi nokunyengera ndizvo zvinotaura Jehovha.
3:11b.JER.003.011 Zvino Jehovha akati kwandiri, Isiraeri wokudzokera shure, vakaita zvakarurama kukunda Judha wokusatendeka.
3:12b.JER.003.012 Enda unoparidza mashoko awa kurutivi rwokumusoro, uti, Dzokai, imi Isiraeri wokudzokera shure ndizvo zvinotaura Jehovha; handingakutaririyi ndakatsamwa, nokuti ndine nyasha, handingarambi ndakatsamwa nokusingaperi ndizvo zvinotaura Jehovha.
3:13b.JER.003.013 Asi muzive zvakaipa zvenyu bedzi, kuti makadarikira Jehovha Mwari wenyu, mukafamba-famba muchitevera vatorwa pasi pemiti yose mitema, mukasateerera inzwi rangu ndizvo zvinotaura Jehovha.
3:14b.JER.003.014 Zvanzi naJehovha, Dzokai imi vana vokudzokera shure, nokuti ndiri murume wenyu; ndichakutorai, mumwe paguta rimwe, vaviri parudzi rumwe, ndichikuisai Ziyoni.
3:15b.JER.003.015 Ndichakupai vafudzi vanofadza moyo wangu, vachakufudzai nezivo nenjere.
3:16b.JER.003.016 Zvino kana mawanda nokuwedzerwa panyika pamazuva iwayo ndizvo zvinotaura Jehovha havangazoti, Areka yesungano yaJehovha; havangaifungi, havangairangariri, havangaitsvaki, havangaiitizve.
3:17b.JER.003.017 Panguva iyo vachatumidza Jerusaremu chigaro choushe chaJehovha; marudzi ose achaunganidzirwapo, paJerusaremu, nokuda kwezita raJehovha; havachazofambi nohukukutu hwemoyo yavo yakashata.
3:18b.JER.003.018 Namazuva iwayo imba yaJudha ichafamba pamwechete neimba yaIsiraeri, vachauya pamwechete vachibva kunyika yokumusoro kunyika yandakapa madzibaba enyu ive nhaka yavo.
3:19b.JER.003.019 Asi ndakati, Ndichakuisai sei pakati pavana vangu, ndikupei nyika inofadza, nhaka yakaisvonaka yamarudzi akawanda, ndikati, Imi muchanditumidza zita rokuti, Baba vangu, hamungazotsauki pakunditevera.
3:20b.JER.003.020 Zvanzi naJehovha, Zvirokwazvo, mukadzi sezvaanosiya murume wake achinyengera, saizvozvo imi makandinyengera, imi imba yaIsiraeri.
3:21b.JER.003.021 Inzwi rinonzwika kuzvikomo zvisina miti, kuchema nokunyengetera kwavana vaIsiraeri; nokuti vakaminamisa nzira dzavo, vakakanganwa Jehovha Mwari wavo.
3:22b.JER.003.022 Dzokai, imi vana vokudzokera shure, ndichapodza kudzokera kwenyu. Tarirai, tauya kwamuri, nokuti imi muri Jehovha Mwari wedu.
3:23b.JER.003.023 Zvirokwazvo, zvinobva kuzvikomo nemhere-mhere inobva kumakomo hazvina maturo; zvirokwazvo kuponeswa kwaIsiraeri kuri kuna Jehovha Mwari wedu.
3:24b.JER.003.024 Asi chinhu chinonyangadza chakaparadza basa ramadzibaba edu kubva pahuduku hwedu, makwai avo nemombe dzavo, vanakomana vavo navanasikana vavo.
3:25b.JER.003.025 Ngativatei pasi nokunyadziswa kwedu, kunyara kwedu ngakutifukidze; nokuti takatadzira Jehovha Mwari wedu, isu namadzibaba edu, kubva pahuduku hwedu kusvikira pazuva ranhasi; hatina kuteerera inzwi raJehovha Mwari wedu.
4
4:1b.JER.004.001 Zvanzi naJehovha, Kana muchida kudzoka, imi Isiraeri, kana muchida kudzokera kwandiri, kana muchida kubvisa zvinonyangadza zvenyu pamberi pangu, hamungafaniri henyu kudzungaira.
4:2b.JER.004.002 Ipapo muchapika, muchiti, NaJehovha mupenyu, nezvokwadi, nezvakarurama, nokururama; ipapo marudzi achazviropafadza maari, nokuzvirumbidza maari. Kutsamwa kwaJehovha kuchauyisa vavengi
4:3b.JER.004.003 Nokuti zvanzi naJehovha kuvanhu vaJudha naveJerusaremu, Zvivundirei gombo, idzva, musadzvara pakati peminzwa.
4:4b.JER.004.004 Zvidzingisirei Jehovha, mubvise zvikanda zvapamberi zvomoyo, imi vanhu vaJudha navagere Jerusaremu; kuti kutsamwa kwangu kukuru kurege kubuda somoto, upise kusino munhu unogona kuudzimura, nokuda kwezvakaipa zvamakaita.
4:5b.JER.004.005 Taurai pakati paJudha, muparidze muJerusaremu, muti Ridzai hwamanda panyika, danidzirai, muti, Unganai, tindopinda mumaguta akakomberedzwa.
4:6b.JER.004.006 Simudzirai mureza kurutivi rweZiyoni, tizai, musamira; nokuti ndichauyisa zvakaipa zvinobva kurutivi rwokumusoro, nokuparadza kukuru.
4:7b.JER.004.007 Shumba yabuda ichibva mudenhere rayo, muparadzi wamarudzi wava munzira, wabuda panzvimbo yake, kuti aparadze nyika yenyu, maguta enyu aitwe matongo, kusina vanogaramo.
4:8b.JER.004.008 Naizvozvo zvisungei zviuno zvenyu namakudza, mucheme nokuwungudza; nokuti kutsamwa kukuru kwaJehovha hakuna kudzorwa kwatiri.
4:9b.JER.004.009 Zvino ndizvo zvinotaura Jehovha nezuva iro moyo wamambo uchaora, nemoyo yamachindawo; vapirisiti vachashamiswa navaporofita vachakanuka.
4:10b.JER.004.010 Ipapo ndikati, Haiwa, Ishe Jehovha zvirokwazvo makanyengera kwazvo vanhu ava naveJerusaremu, zvamakati, Muchava norugare, nyamba munondo unobaya kusvikira pamweya.
4:11b.JER.004.011 Nenguva iyo vanhu ava naveJerusaremu vachaudzwa, zvichinzi, Tarirai mhepo inopisa, inobva kuzvikomo zvisina miti murenje, inouya kumukunda wavanhu vangu, isingavingi kurudza kana kunatsa;
4:12b.JER.004.012 mhepo ine simba, inobva ikoko, ichandiuyira; zvino ndicharevawo zvandakatonga pamusoro pavo.
4:13b.JER.004.013 Tarirai, uchauya samakore, ngoro dzake dzichaita sechamupupuri; mabhiza ake anokurumidza kukunda makondo. Tine nhamo, nokuti taparadzwa.
4:14b.JER.004.014 Haiwa, Jerusaremu, suka zvakaipa zviri pamoyo wako, kuti uponeswe. Ndangariro dzako dzakaipa dzichagara mukati mako kusvikira rinhiko?
4:15b.JER.004.015 Nokuti inzwi rinotaura richibva Dhani, rinoparidza njodzi richibva pazvikomo zveEfuremu.
4:16b.JER.004.016 Udzai marudzi izvozvo, tarirai, paridzirai Jerusaremu, kuti nharirire dzinobva kunyika iri kure, dzinotaurira maguta aJudha zvakaipa.
4:17b.JER.004.017 Dzinovakomberedza savarindi vanokomberedza munda, nokuti vakandimukira ndizvo zvinotaura Jehovha.
4:18b.JER.004.018 Mufambiro wako nezvawakaita ndizvo zvakakuvuyisira zvinhu izvi; ndiko kutadza kwako; nokuti zvinovava, nokuti
4:19b.JER.004.019 Maiwe ! Hura hwangu, hura hwangu! Ndinorwadziwa mumoyo mangu mumene; moyo wangu unodedera mukati mangu, handigoni kunyarara, nokuti wanzwa, iwe mweya wangu, wanzwa kurira kwehwamanda nemhere-mhere yokurwa.
4:20b.JER.004.020 Kunonzi, kuparadzwa kunotevera kuparadzwa; nokuti nyika yose yaitwa dongo; matende angu aparadzwa kamwekamwe, namaseiri amatende angu pakarepo.
4:21b.JER.004.021 Ndichaona mureza kusvikira rinhiko, nokunzwa kurira kwehwamanda?
4:22b.JER.004.022 Nokuti vanhu vangu mapenzi, havandizivi; vakaita vana vamapenzi, vasina njere, vakachenjera pakuita zvakaipa, asi havane zivo pakuita zvakanaka.
4:23b.JER.004.023 Ndakatarira nyika, ndikaiona yaparadzwa, isina chinhu; ndikatarira denga rose, asi rakanga risina chiedza.
4:24b.JER.004.024 Ndakatarira makomo, ndikaona achidedera, nezvikomo zvose zvichizununguka.
4:25b.JER.004.025 Ndakatarira, ndikasaona munhu, neshiri dzose dzokudenga dzakanga dzatiza.
4:26b.JER.004.026 Ndakatarira, ndikaona nyika yakanga ichibereka zvakanaka yashanduka renje, namaguta ayo ose akanga akoromoka pamberi paJehovha, napamberi pokutsamwa kwake kukuru.
4:27b.JER.004.027 Nokuti zvanzi naJehovha, Nyika yose ichasiyiwa yaparadzwa, asi handingaipedzi chose.
4:28b.JER.004.028 Nemhaka iyi nyika ichachema, nedenga rose kumusoro richasviba; nokuti ndakazvitaura, ndakafunga kuzviita, handina kuzvidemba, handingadzoki pachinhu ichi.
4:29b.JER.004.029 Maguta ose anotiza nokuda kwomubvumo wavatasvi vamabhiza navafuri vouta; vanopinda mumatenhere, vanokwira pamatombo; ose akasiyiwa hakuna munhu unogaramo.
4:30b.JER.004.030 Zvino iwe, kana waparadzwa, uchaiteiko? Kunyange ukafuka mucheka mutsvuku, kunyange ukazodza meso ako nomuti mutema, ungazvinatsa pasina; vadikanwa vako vanokuzvidza, vanotsvaka kukuuraya.
4:31b.JER.004.031 Nokuti ndakanzwa inzwi seromukadzi unosurumuka, serounotambudzika pakupona dangwe rake, inzwi romukunda weZiyoni, unofemedzeka, unotambanudza maoko ake, achiti, Ndine nhamo zvino! Nokuti mweya wangu waziya pamberi pavaurayi vangu!
5
5:1b.JER.005.001 Mhanyai kwose-kwose panzira dzomuguta reJerusaremu, muone zvino, muzive, mutsvake pamigwagwa mikuru yaro, kana mungawana munhu, kana aripo, unoita zvakarurama, unotsvaka zvokwadi; ipapo ndicharikanganwira.
5:2b.JER.005.002 Kunyange vachiti havo, NaJehovha mupenyu, zvirokwazvo vanopika nhema.
5:3b.JER.005.003 Haiwa Jehovha, meso enyu haazinotsvaka zvokwadi here? Makavarova, asi havana kunzwa kurwadziwa; makavapedza, asi vakaramba kurairwa; vakaomesa zviso zvavo kupfuura dombo, vakaramba kudzoka.
5:4b.JER.005.004 Ipapo ndikati, Zvirokwazvo, ava varombo, mapenzi, nokuti havazivi nzira yaJehovha, kana murayiro waMwari wavo.
5:5b.JER.005.005 Ndichaenda kuvakuru, ndichataura navo; nokuti ivo vanoziva nzira yaJehovha, nomurayiro waMwari wavo. Asi ava vose pamwechete vakaputsa joko, vakadambura zvisungo.
5:6b.JER.005.006 Saka shumba inobva kudondo, ichavauraya, bere rokumarenje richavaparadza, ingwe ichavandira maguta avo, mumwe nomumwe, unobudamo, uchabvamburwa; nokuti kudarika kwavo kuzhinji, nokudzokera kwavo kwawedzerwa.
5:7b.JER.005.007 Ndingakukanganwira seiko? Vana vako vakandirasha, vakapika navasati vari vamwari. Nguva yandakavagutsa kwazvo, vakapombora, vakaunganira padzimba dzezvifeve vachiita mapoka.
5:8b.JER.005.008 Vakanga vakaita samabhiza akagutswa, anongozvifambira; mumwe nomumwe wakadana mukadzi wowokwake.
5:9b.JER.005.009 Ko handingarovi pamusoro pezvinhu izvi here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; ko mweya wangu haungazvitsiviri parudzi rwakadai here?
5:10b.JER.005.010 Kwirai pamasvingo aro, muparadze; asi musapedza chose; bvisai matavi aro, nokuti haazi Jehovha.
5:11b.JER.005.011 Nokuti imba yaIsiraeri neimba yaJudha vakaita nokunyengera kukuru kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha.
5:12b.JER.005.012 Vakaramba Jehovha, vakati, Haazi iye; hakuna chakaipa chingatiwira, hatingaoni munondo kana nzara;
5:13b.JER.005.013 vaporofita vachashanduka mhepo, shoko raJehovha harizi mavari; ngavaitirwe saizvozvo.
5:14b.JER.005.014 Naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Zvamunotaura shoko iri, tarirai, ndichaita mashoko angu ave moto mumiromo yenyu, navanhu ava vave huni, vapedzwe nawo.
5:15b.JER.005.015 Tarirai ndizvo zvinotaura Jehovha ndichauyisa pamusoro penyu rudzi runobva kure, imi imba yaIsiraeri, rudzi rwamusingazivi rurimi rwarwo, kana kunzwisisa zvavanotaura.
5:16b.JER.005.016 Gobha ravo hwiro hwakashama, vose vanhu vane simba.
5:17b.JER.005.017 Vachadya zvamakohwa nezvokudya zvenyu zvaifanira kudyiwa navanakomana venyu navanasikana venyu; vachadya makwai enyu nemombe dzenyu; vachadya mizambiringa yenyu nemionde yenyu; vachaputsira pasi neminondo maguta enyu akakomberedzwa, amaivimba nawo.
5:18b.JER.005.018 Asi zvanzi naJehovha, Kunyange napamazuva iwayo handingakupedziyi chose.
5:19b.JER.005.019 Zvino kana muchinge munoti, Ko Jehovha Mwari wedu wakatiitirei izvezvi zvose? Ipapo uti kwavari, Sezvamakandirasha ini, mukashumira vamwe vamwari panyika yenyu, saizvozvo muchashumira vatorwa panyika isati iri yenyu.
5:20b.JER.005.020 Taurirai izvozvi paimba yaJakobho, muzviparidzire paJudha, muchiti,
5:21b.JER.005.021 Zvino chinzwai izvozvi, imi vanhu mapenzi, musina njere; muna meso, asi hamuoni, mune nzeve, asi hamunzwi.
5:22b.JER.005.022 Zvanzi naJehovha, Hamundityi here? Hamudederi pamberi pangu here, ini ndakaisa jecha rive muganho wegungwa, ndikatema chirevo chisingaperi kuti rirege kuudarika? Zvino kunyange mafungu aro achipenga, haangakundi.
5:23b.JER.005.023 Asi vanhu ava vanomoyo wakasindimara unoramba kunzwa; vakatsauka, ndokuenda.
5:24b.JER.005.024 Havati mumoyo yavo, Zvino ngatitye Jehovha Mwari wedu, unotipa panguva yazvo mvura yokutanga neyokupedzisira, iye unotichengetera mavhiki akatarwa okukohwa.
5:25b.JER.005.025 Zvakaipa zvenyu zvakatsausa izvozvi, kutadza kwenyu kwakadzivisa kuti zvinhu zvakanaka zvirege kuuya kwamuri.
5:26b.JER.005.026 Nokuti vanhu vakaipa varipo pakati pavanhu vangu; vanorindira, savanogarira shiri; vanoteya misungo, vanobata vanhu.
5:27b.JER.005.027 Sedendere, rizere neshiri, saizvozvo dzimba dzavo dzizere nokunyengera; nemhaka iyo vakura, vafuma.
5:28b.JER.005.028 Vakora, vanobwinya; zvirokwazvo vanokurira vamwe namabasa akaipa; havatambi mhaka, iyo mhaka yenherera, kuti vagare zvakanaka; havaruramisiri vanoshaiwa.
5:29b.JER.005.029 Ko handingarovi pamusoro pezvinhu izvi here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; ko mweya wangu haungazvitsiviri parudzi rwakadai here?
5:30b.JER.005.030 Chinhu chinoshamisa chinosemesa chakaitwa panyika ino;
5:31b.JER.005.031 vaporofita va noporofita nhema, navapirisiti vanobata ushe vachirairwa navo; asi vanhu vangu vanofarira izvozvo; zvino pakupedzisira kwazvo muchaiteiko?
6
6:1b.JER.006.001 Tizai, imi vana vaBhenjamini, ibvai pakati peJerusaremu, muridze hwamanda paTekoa, mumutse chiratidzo paBheterehemu; nokuti zvakaipa zvinovavarira zviri kurutivi rwokumusoro, nokuparadza kukuru.
6:2b.JER.006.002 Ndichabvisa mukunda weZiyoni, iye wakanaka, unovunengwe.
6:3b.JER.006.003 Vafudzi vachaenda kwariri vana mapoka avo; vacharidzikira matende avo kumativi ose, mumwe nomumwe uchafura panzvimbo yake.
6:4b.JER.006.004 Zvigadzirei kundorwa naro; simukai, tiende masikati. Tine nhamo, nokuti zuva rovira, nokuti mimvuri yamadekwana yareba.
6:5b.JER.006.005 Simukai, tiende vusiku, tindoparadza dzimba dzamadzimambo aro.
6:6b.JER.006.006 Nokuti zvakanzi naJehovha wehondo, Temai miti, mututire Jerusaremu murwi wokurwa nawo; ndiro guta rinofanira kurohwa, mukati maro munongova nokumanikidza bedzi.
6:7b.JER.006.007 Tsime sezvarinobudisa mvura yaro, saizvozvo rinobudisa zvakaipa zvaro; kuita nesimba nokuparadza ndizvo zvinonzwikwa mukati maro, pamberi pangu panongova nokurwara namavanga nguva dzose.
6:8b.JER.006.008 Tenda kurangwa, iwe Jerusaremu, kuti mweya wangu urege kuparadzana newe, ndirege kukuita dongo, nyika isingagari vanhu.
6:9b.JER.006.009 Zvanzi naJehovha wehondo, Vachatanha chose zvakasara zvaIsiraeri, somuzambiringa; dzoseraizve ruoko rwenyu mumatengu, sezvinoita mutanhi wemizambiringa.
6:10b.JER.006.010 Ndichataura nani nokuvapupurira vanzwe? Tarirai, nzeve dzavo hadzina kudzingiswa, havagoni kunzwa; tarirai, shoko raJehovha rava kwavari chinhu chinodadirwa, havarifariri.
6:11b.JER.006.011 Naizvozvo ndizere nokutsamwa kwaJehovha, ndaneta kuzvidzora; Chikudururai pamusoro pavana vari munzira dzomuguta, napamusoro peungano yamajaya; nokuti murume nomukadzi vachabatwa pamwe chete nowava namazuva mazhinji.
6:12b.JER.006.012 Dzimba dzavo dzichapiwa vamwe, minda yavo pamwechete navakadzi vavo; nokuti ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pavagere panyika, ndizvo zvinotaura Jehovha.
6:13b.JER.006.013 Nokuti kubva kuvaduku pakati pavo kusvikira kuvakuru pakati pavo mumwe nomumwe unokarira fuma; uye kubva kuvaporofita kusvikira kuvapirisiti mumwe nomumwe unoita nokunyengera.
6:14b.JER.006.014 Vakangopodza vanga ravanhu vangu zvishoma vachiti, Rugare, rugare! Izvo hakuna rugare.
6:15b.JER.006.015 Ko vakanyadziswa nguva yavakaita zvinonyangadza here? Kwete havana kutongonyara, vakakoniwa kucheneruka; naizvozvo vachawa pakati pavanowa, panguva yandinovarova vachagumburwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
6:16b.JER.006.016 Zvanzi naJehovha, Mirai panzira, muwone; bvunzai nzira dzakare, kuti nzira yakanaka ndeipi; mufambe mairi, mugowanira mweya yenyu zoro; asi vakati, Hatidi kufamba mairi.
6:17b.JER.006.017 Ndakagadza nharirire kukurindirai, ndikati, teererai inzwi rehwamanda; asi ivo vakati, Hatidi kuteerera.
6:18b.JER.006.018 Naizvozvo inzwai, imi marudzi, newe ungano, muzive zviri pakati pavo.
6:19b.JER.006.019 Inzwa, Iwe nyika, tarira, ndini ndinouyisira vanhu ava zvakaipa, izvo zvibereko zvemifungo yavo, nokuti havana kuteerera mashoko angu; kana uri murayiro wangu, vakauramba.
6:20b.JER.006.020 Ko zvinonhuwira zvinouyirei kwandiri zvichibva Shebha, nekaramusi inobva kunyika iri kure? Zvipiriso zvenyu zvinopiswa handizvidi, nezvibayiro zvenyu hazvindifadzi.
6:21b.JER.006.021 Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarirai, ndichaisira vanhu ava zvigumbuso, madzibaba navanakomana vavo vachagumbuswa nazvo pamwechete; munhu neshamwari yake vachaparara pamwechete.
6:22b.JER.006.022 Zvanzi naJehovha, Tarirai, vanhu vachabva kunyika yokumusoro, rudzi rukuru ruchamutswa, ruchibva kumigumo yenyika.
6:23b.JER.006.023 Vakabata uta nepfumo, vane hasha havane nyasha; inzwi ravo rinotinhira segungwa; vanotasva mabhiza, mumwe nomumwe wakazvigadzira, somunhu unoenda kuhondo, kuzorwa newe, iwe mukunda weZiyoni.
6:24b.JER.006.024 Takanzwa guhu razvo, maoko edu oshaiwa simba, tabatwa nokutambudzika, nokurwadziwa sokwomukadzi unosurumuka,
6:25b.JER.006.025 Regai kubudira kubundo, kana kufamba nenzira; nokuti munondo womuvengi nezvinotyisa zviri kumativi ose.
6:26b.JER.006.026 Haiwa, mukunda wavanhu vangu, Zvisunge chiuno namakudza, uumbu ruke mumadota; chema, somunhu unochema mwanakomana wake mumwechete, nokuchema kukuru kwazvo; nokuti muparadzi uchatiwira pakarepo.
6:27b.JER.006.027 Ndakakuita mushori nenhare pakati pavanhu vangu, kuti uzive nokuidza nzira yavo.
6:28b.JER.006.028 Vose vavo vamukiri vakaisvoipa, vanongofamba-famba vachiita makuhwa; indarira nedare, vanoita zvakashata vose.
6:29b.JER.006.029 Mvuto inovhutira kwazvo, mutobvu wapera nomoto, vanoramba vachinatsa pasina, nokuti vakaipa havabviswi.
6:30b.JER.006.030 Vachanzi sirivha yakarashwa, nokuti Jehovha wakavaramba.
7
7:1b.JER.007.001 Shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti,
7:2b.JER.007.002 Mira pasuo reimba yaJehovha, uparidzirepo shoko iri, uti, Inzwai shoko raJehovha, imi vaJudha mose munopinda napamusuo awa kuzonamata Jehovha.
7:3b.JER.007.003 Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Ruramisai nzira dzenyu nezvamunoita, ndigokugarisai panzvimbo ino.
7:4b.JER.007.004 Musavimba namashoko enhema, Izvezvi itemberi yaJehovha, temberi yaJehovha, temberi yaJehovha.
7:5b.JER.007.005 Nokuti kana mukaruramisa kwazvo nzira dzenyu nezvamunoita, kana muchiita zvakarurama munhu mumwe nomumwe kunowokwake.
7:6b.JER.007.006 Kana musingamanikidzi mutorwa, nenherera, nechirikadzi, mukasateura ropa risina mhosva panzvimbo ino, nokusatevera vamwe vamwari, vanokuisai panjodzi;
7:7b.JER.007.007 ipapo ndichakugarisai panzvimbo ino, panyika yandakapa madzibaba enyu, kubvira panguva yakare kusvikira nokusingaperi.
7:8b.JER.007.008 Tarirai, munovimba namashoko enhema, asingagoni kubatsira.
7:9b.JER.007.009 Mungaba, nokuuraya, nokuita hupombwe, nokupika nhema, nokupisira Bhaari zvinonhuwira, nokutevera vamwe vapirwa vamakanga musingazivi,
7:10b.JER.007.010 ndokuzouya momira pamberi pangu muimba ino, panodanwa zita rangu, muchiti, Tasunungurwa; kuti mugoita izvi zvose zvinonyangadza here?
7:11b.JER.007.011 Ko imba ino panodanwa zita rangu rava bako ramakororo pamberi penyu here? Tarirai, ini, ini ndimene ndaona izvozvo ndizvo zvinotaura Jehovha.
7:12b.JER.007.012 Asi zvino endai kunzvimbo yangu yaiva paShiro, pandakagarisa zita rangu pakutanga, muone zvandakaiitira nokuda kwezvakaipa zvavanhu vangu Isiraeri.
7:13b.JER.007.013 Zvino, zvamakaita mabasa awa ose ndizvo zvinotaura Jehovha ini ndikataura nemi, ndichifumira mangwanani ndichitaura, imi mukasanzwa, ndikakudanai, mukasapindura.
7:14b.JER.007.014 Naizvozvo ndichaitira imba panodanwa zita rangu, yamunovimba nayo, nenzvimbo yandakakupai imi namadzibaba enyu, sezvandakaitira Shiro.
7:15b.JER.007.015 Ndichakurashirai kure neni, sezvandakarasha hama dzenyu dzose, irwo rudzi rwose rwaEfuremu.
7:16b.JER.007.016 Naizvozvo iwe chirega kunyengeterera vanhu ava, usadanidzira nokunyengetera nokuda kwavo, kana kuvakumbira kwandiri; nokuti handingakunzwi.
7:17b.JER.007.017 Hauoni here zvavanoita mumaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu here?
7:18b.JER.007.018 Vana vanounganidza huni, madzibaba ndokubatidza moto, vakadzi vanokanya hupfu kuti vabikire vahosi vokudenga zvingwa, uye kuti vadirire vamwe vamwari zvipiriso zvinodururwa, kuti vanditsamwise.
7:19b.JER.007.019 Vanonditsamwisa here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; havazinozvinetsa havo, vachingozvinyadzisa havo?
7:20b.JER.007.020 Saka zvanzi naJehovha Mwari, Tarirai, kutsamwa kwangu nehasha dzangu zvichadururirwa panzvimbo ino, pamusoro pavanhu, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro pemiti yokubundo, napamusoro pezvibereko zvenyika; zvichapfuta, zvisingadzimwi.
7:21b.JER.007.021 Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Wedzerai zvipiriso zvenyu zvinopiswa pazvibayiro zvenyu, mudye nyama yazvo.
7:22b.JER.007.022 Nokuti handina kutaura namadzibaba enyu, kana kuvaraira panguva yandakavabudisa panyika yeIjipiti pamusoro pezvipiriso zvinopiswa kana zvibayiro;
7:23b.JER.007.023 asi ndakavaraira chinhu ichi, ndichiti, teererai inzwi rangu, ndigova Mwari wenyu, nemi muchaba vanhu vangu; mufambe nenzira yose yandichakurairai, mugova nomufaro.
7:24b.JER.007.024 Asi havana kuteerera, kana kurerekera nzeve dzavo, asi vakafamba nokurangarira kwavo nohukukutu hwemoyo yavo vakadzokera sure havana kupfuura mberi.
7:25b.JER.007.025 Kubvira pazuva rokubuda kwamadzibaba enyu munyika yeIjipiti, kusvikira pazuva ranhasi, ndakakutumirai varanda vangu vose vaporofita, ndichifumira mangwanani zuva rimwe nerimwe ndichivatuma;
7:26b.JER.007.026 kunyange zvakadaro, havana kunditeerera, kana kurerekera nzeve dzavo, asi vakaomesa mitsipa yavo; vakaita zvakaipa kukunda madzibaba avo.
7:27b.JER.007.027 Zvino iwe unofanira kuvataurira mashoko awa ose; asi havangakuteereri; unofanira kudanawo kwavari, asi havangakupinduri.
7:28b.JER.007.028 Zvino iwe uti kwavari, Urwu ndirwo rudzi rusinganzwi shoko raJehovha Mwari wavo, kana kutenda kurangwa; kutendeka kwapera, kwabva chose pamiromo yavo.
7:29b.JER.007.029 Vevura hukomba hwako, iwe Jerusaremu, uhurashire kure; undochema pazvikomo zvisina miti, nokuti Jehovha wakarasha nokusiya rudzi rwaakatsamwira.
7:30b.JER.007.030 Nokuti vana vaJudha vakaita zvakaipa pamberi pangu, vakaisa zvinonyangadza zvavo muimba pakadanwa zita rangu, kuti vaisvibise ndizvo zvinotaura Jehovha.
7:31b.JER.007.031 Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzeTofeti, dziri mumupata womwanakomana waHinomi, kuti vapise vanakomana navanasikana vavo mumoto, zviri zvinhu zvandisina kuvaraira, kana kufunga mumoyo mangu.
7:32b.JER.007.032 Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarirai, mazuva anouya, avasingazopaidzi Tofeti, kana mupata womwanakomana waHinomi, asi Mupata wokuuraya; nokuti vachaviga vakafa paTofeti, nokuti kuchashaikwa imwe nzvimbo.
7:33b.JER.007.033 Mitumbu yavanhu ava zvichava zvokudya zveshiri dzokudenga nezvezvikara zvenyika; hakuna uchazvidzinga.
7:34b.JER.007.034 Ipapo ndichagumisa pamaguta aJudha napanzira dzomuJerusaremu inzwi rokuseka, nenzwi romufaro, nenzwi rechikomba nenzwi romufaro, nenzwi rechikomba nenzwi romwenga; nokuti nyika ichava dongo.
8
8:1b.JER.008.001 Nenguva iyo ndizvo zvinotaura Jehovha uchabvisa pamahwiro avo mapfupa amadzimambo avaJudha, namapfupa amachinda avo, namapfupa avapirisiti, namapfupa avaporofita, namapfupa avaigara paJerusaremu;
8:2b.JER.008.002 vachaaparadzira panopenya zuva nomwedzi nehondo yose yokudenga izvo zvavaida, nezvavaishumira, nezvavaitevera, nezvavaivinga, nezvavainamata; haangaunganidzwi, kana kuvigwa, asi achava mupfudze panyika.
8:3b.JER.008.003 Rufu ruchasanangurwa kupfuura hupenyu navose vakasara panzvimbo dzose kwandakavadzingira ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Kutsauka kwavanhu vaJehovha nokurohwa kwavo
8:4b.JER.008.004 Zvino unofanira kuti kwavari, Zvanzi naJehovha, Ko vanhu vangawa, vakasazomukazve here? Munhu ungatsauka, akasazodzoka here?
8:5b.JER.008.005 Zvino vanhu ava veJerusaremu vakadzokereiko nokudzokera kusingatongoperi? Vanonamatira kunyengera, vanoramba kudzoka.
8:6b.JER.008.006 Ndakateerera, ndikanwa, asi havana kutaura zvakarurama; hakuna munhu unochema kuipa kwake, achiti, Ndaiteiko? Mumwe nomumwe unotsauka nenzira yake, sebhiza rinomhanya kwazvo pakurwa.
8:7b.JER.008.007 Zvirokwazvo, zimudo, riri kudenga, rinoziva nguva dzaro dzakatarwa, nenjiva nenyenganyenga nekondo dzinorangarira nguva yokuuya kwadzo, asi vanhu vangu havazivi murayiro waJehovha.
8:8b.JER.008.008 Munoreva seiko, muchiti, Takachenjera, murayiro waJehovha tinawo? Asi tarirai, peni yenhema yavanyori inonyengera.
8:9b.JER.008.009 Vanhu vakachenjera vakanyadziswa, vakavhunduka nokubatwa; tarirai, vakaramba shoko raJehovha, zvino vane njere dzakadiniko?
8:10b.JER.008.010 Naizvozvo ndichapa vamwe vakadzi vavo, neminda yavo ndichaipa vamwe vachaiita yavo; nokuti mumwe nomumwe wavo, kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru, mumwe nomumwe unokarira fuma; kubva kuvaporofita kusvikira kuvapirisiti mumwe nomumwe unoita nokunyengera.
8:11b.JER.008.011 Vakangopodza vanga romukunda wavanhu vangu zvishoma, vachiti, Rugare, rugare! Izvo hakuna rugare.
8:12b.JER.008.012 Ko vakanyadziswa nguva yavakaita zvinonyangadza here? Kwete, havana kutongonyara, vakakoniwa kucheneruka; naizvozvo vachawa pakati pavanowa; panguva yokurohwa kwavo vachagumburwa ndizvo zvinotaura Jehovha.
8:13b.JER.008.013 Ndichavapedza chose, ndizvo zvinotaura Jehovha; Hakungavi namazambiringa pamuzambiringa, kana maonde pamuonde, namashizha achaoma ndakaraira vachavakukura.
8:14b.JER.008.014 Tinogarireiko pasi? Unganai, tipinde mumaguta akakomberedzwa, tifirepo; nokuti Jehovha Mwari wedu wakatiuraya, akatipa mvura inouraya kuti tiinwe; nokuti takatadzira Jehovha.
8:15b.JER.008.015 Takanga takatarira rugare, asi hakuna chakanaka chakasvika; takanga takatarira nguva yokuporeswa, asi tarirai, takavhunduswa.
8:16b.JER.008.016 Kufembedza kwamabhiza ake kwakanzwika achiri paDhani; nyika yose yakadedera nenzwi rokurira kwaane simba ake; nokuti asvika, apedza nyika nezvose zvirimo, neguta navose vageremo.
8:17b.JER.008.017 Nokuti tarirai, ndichatuma pakati penyu nyoka nemvumbi, dzicharamba kuroyiwa; dzichakurumai, ndizvo zvinotaura Jehovha.
8:18b.JER.008.018 Haiwa, dai ndaigona hangu kuzvinyaradza pakuchema kwangu ! moyo wangu waziya mukati mangu.
8:19b.JER.008.019 Inzwai, inzwi rokuchema kwomukunda wavanhu vangu, rinobva kunyika iri kure-kure, richiti, Ko Jehovha haazi muZiyoni here? Mambo waro haazi mukati maro here? Vakanditsamwisireiko nezvifananidzo zvavo zvakavezwa, nezvavatorwa zvisina maturo?
8:20b.JER.008.020 Kucheka kwapera, zhizha rapfuura, asi tigere kuponeswa.
8:21b.JER.008.021 ini ndinokuvadzwa nokuda kwokukuvadzwa kwomukunda wavanhu vangu; ndinochema, ndabatwa nokuvhunduswa.
8:22b.JER.008.022 Ko hakuna muti webharisami muGiriyadhi here? Hakune nanga ko here? Nokuti mukunda wavanhu vangu wakagoregerei kupodzwa?
9
9:1b.JER.009.001 Haiwa, dai musoro wangu waiva nemvura zhinji, nameso angu riri tsime remisodzi, ndingadai ndaichema masikati novusiku nokuda kwavakaurawa vomukunda wavanhu vangu!
9:2b.JER.009.002 Haiwa, dai ndaiva nedumba rinosigarwa navafambi murenje, ndingadai ndaisiya vanhu vangu, ndikabva kwavari! Nokuti vose imhombwe, iungano yavanhu vanonyengera.
9:3b.JER.009.003 Vanokunga marimi avo, sezvavanoita huta hwavo, kuzoreva nhema; vasimba panyika, asi havaiti nezvokwadi; nokuti vanoramba vachingoita zvakaipa, havandizivi, ndizvo zvinotaura Jehovha.
9:4b.JER.009.004 Mumwe nomumwe ngaachenjerere wokwake, murege kutenda hama ipi neipi; nokuti hama imwe neimwe ichanyengera, nowokwake mumwe nomumwe uchapota-pota ana makuhwa.
9:5b.JER.009.005 Mumwe nomumwe uchanyengera wokwake, haangarevi zvokwadi; vakadzidzisa marimi avo kureva nhema, vanozvinetsa nokuita zvakaipa.
9:6b.JER.009.006 Hugaro hwenyu huri pakati pokunyengera; vanoramba kundiziva nokunyengera kwavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
9:7b.JER.009.007 Naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, Tarirai, ndichanyausa nokuvaidza; nokuti ndingaita seiko pamusoro pomukunda wavanhu vangu?
9:8b.JER.009.008 Marimi avo miseve inouraya, anoreva zvinonyengera; munhu unoreva zvorugare kuno wokwake nomuromo wake, asi mumoyo make unovandira.
9:9b.JER.009.009 Ko handingavarovi pamusoro pezvinhu izvi here? Ndizvo zvinotaura Jehovha. Ko mweya wangu haungatsihwi parudzi rwakadai here?
9:10b.JER.009.010 Ndichachema nokuwungudza pamusoro pamakomo, ndichachema pamusoro pamafuro amarenje, nokuti zvatsva, hakuna unopfuura napo; vanhu havagoni kunzwa inzwi rezvipfuwo; shiri dzokudenga nemhuka dzose zvatiza, zvaenda hazvo.
9:11b.JER.009.011 Ndichaita Jerusaremu mirwi yamabwe, panogara makava; namaguta aJudha ndichaaita matongo, asina unogaramo.
9:12b.JER.009.012 Munhu wakachenjera, unonzwisisa izvozvi, ndianiko? Muromo waJehovha wakataura naniko, kuti aparidze izvozvi? Nyika yakapedzwa nokupiswa serenje neiko, pasina unopfuura napo?
9:13b.JER.009.013 Jehovha wakati, Zvavakarasha murayiro wangu wandakaisa pamberi pavo, vakasateerera inzwi rangu, nokufamba nazvo,
9:14b.JER.009.014 asi vakatevera hukukutu hwemoyo yavo navaBhaari, izvo zvavakadzidziswa namadzibaba avo;
9:15b.JER.009.015 naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Tarirai, ndichadyisa vanhu ava gavakava, nokuvanwisa mvura yenduru.
9:16b.JER.009.016 Ndichavaparadzirawo pakati pamarudzi, avakanga vasingazivi ivo kunyange namadzibaba avo; ndichatuma munondo uvatevere, kusvikira ndavapedza.
9:17b.JER.009.017 Zvanzi naJehovha wehondo, Rangarirai imi, mudane vakadzi vangachema, vauye; tumai mudane vakadzi mhizha, vauye;
9:18b.JER.009.018 ngavakurumidze vacheme pamusoro pedu, kuti meso edu ayerere misodzi, namafungiro edu adurure mvura.
9:19b.JER.009.019 Nokuti inzwi rokuchema rinonzwika richibva Ziyoni, richiti, Haiwa, takaparadzwa seiko! Takanyadziswa kwazvo, nokuti tabva panyika yedu nokuti vakakoromora dzimba dzedu dzataigara.
9:20b.JER.009.020 Asi inzwai shoko raJehovha, Imi vakadzi nzeve dzenyu ngadzinzwe shoko romuromo wake; dzidzisai vakunda venyu kuchema, mumwe nomumwe adzidzise wokwake kuwungudza.
9:21b.JER.009.021 Nokuti rufu rwakakwira pamahhwindo edu, rwakapinda mudzimba dzamadzimambo edu, kuti rupedze vana vari kunze, namajaya ari panzira dzomuguta.
9:22b.JER.009.022 Taura, uti, Zvanzi naJehovha, Zvitunha zvavanhu zvichawira pasi somupfudze kubundo, setsama yehura dzinosiyiwa nomucheki, dzisina unodziunganidza.
9:23b.JER.009.023 Zvanzi naJehovha, Munhu wakachenjera ngaarege kuzvirumbidza pamusoro pohuchenjeri hwake, nomunhu wesimba ngaarege kuzvirumbidza pamusoro pesimba rake, nomunhu wakafuma ngaarege kuzvirumbidza pamusoro pefuma yake;
9:24b.JER.009.024 asi unozvirumbidza, ngaazvirumbidze pamusoro pechinhu ichi, kuti unondinzwisisa nokundiziva ini, kuti ndini Jehovha, unoita hunyoro nokururamisira, nokururama panyika; nokuti ndinofarira zvinhu izvi ndizvo zvinotaura Jehovha.
9:25b.JER.009.025 Tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha mazuva anouya, andicharova vose vakadzingiswa pakati pokusadzingiswa kwavo;
9:26b.JER.009.026 vanoti, Ijipiti, naJudha, naEdhomu, navana vaAmoni, naMoabhu, navose vakaveurwa vhudzi ravo kumativi, vanogara kurenje; nokuti marudzi ose haana kudzingiswa, uye vose veimba yaIsiraeri havana kudzingiswa pamoyo yavo.
10
10:1b.JER.010.001 Inzwai shoko rinotaura Jehovha kwamuri, imi imba yaIsiraeri,
10:2b.JER.010.002 zvanzi naJehovha, Regai kudzidza tsika dzamarudzi avanhu, musavhunduswa nezviratidzo zvokudenga; nokuti marudzi avanhu anovhunduswa nazvo.
10:3b.JER.010.003 Nokuti tsika dzavanhu hadzina maturo; nokuti mumwe unotema muti mudondo, riri basa ramaoko omunhu unoveza nedemo.
10:4b.JER.010.004 Vanoushongedza nesirivha nendarama, vanourovera nembambo nenyundo, kuti urege kuzununguka.
10:5b.JER.010.005 Zvakafanana nembiru dzakavezwa, dzisingatauri; zvinofanira kutakurwa, nokuti hazvigoni kufamba. Musazvitya, nokuti hazvigoni kuita zvakaipa, kunyange kuita zvakanaka, hazvigoni.
10:6b.JER.010.006 Hakuna wakafanana nemi Jehovha; imi muri mukuru, zita renyu iguru nesimba raro.
10:7b.JER.010.007 Ndianiko ungarega kukutyai, imi Mambo wamarudzi avanhu? Nokuti makafanira izvozvi; nokuti pakati pavakachenjera vose vamarudzi avanhu, napaushe hwavo hwose, hakuna wakafanana nemi.
10:8b.JER.010.008 Asi vose pamwechete havane njere, mapenzi; dzidzo yezvifananidzo idanda zvaro.
10:9b.JER.010.009 Isirivha yakapfurwa ikaita bope, yakatorwa Tarishishi, nendarama inobva Ufazi, riri basa remhizha neramaoko omupfuri wendarama; zvakafukidzwa nguvo dzemicheka mitema nemitsvuku; zvose ibasa ravanhu venjere.
10:10b.JER.010.010 Asi Jehovha ndiye Mwari wazvokwadi; ndiye Mwari mupenyu, naMambo wokusingaperi; kana iye atsamwa nyika inodedera, marudzi avanhu haagoni kumira pahasha dzake.
10:11b.JER.010.011 ltiyi kwavari, Vamwari vasina kuita denga nenyika, ndivo vachapera panyika napasi pedenga rose.
10:12b.JER.010.012 Ndiye wakaita nyika nesimba rake, wakateya nyika nohuchenjeri hwake, wakatatamura denga rose nenjere dzake.
10:13b.JER.010.013 Kana achibudisa inzwi rake, kunomubvumo wemvura zhinji kudenga; unokwidza makore pamigumo yenyika, unoita mheni kuuyisa mvura, unobudisa mhepo panovigwa fuma yake.
10:14b.JER.010.014 Munhu mumwe nomumwe wava usina njere, haane zivo; mupfuri mumwe nomumwe wendarama unonyadziswa nechifananidzo chake chaakaveza, nokuti chifananidzo chake chaakaumba, ndechenhema, hakuna mweya mazviri.
10:15b.JER.010.015 Hazvina maturo, ibasa rinonyengera; panguva yokurohwa kwazvo zvichapera.
10:16b.JER.010.016 Mugove waJakobho haufanani naizvozvo, nokuti ndiye muumbi wazvose; Isiraeri ndirwo rudzi rwenhaka yake; Jehovha wehondo ndiro zita rake. Njodzi ichawira Isiraeri nokuti vakaputsa sungano yaJehovha
10:17b.JER.010.017 Unganidza nhumbi dzako, ubve panyika, iwe unogara wakakombwa.
10:18b.JER.010.018 Nokuti zvanzi naJehovha, Tarirai, nguva ino ndichaposhera kure vanhu vagere munyika ino, ndichavamanikidza, kuti vawanikwe.
10:19b.JER.010.019 Ndine nhamo nokuda kwokurwadziwa kwangu! Vanga rangu rakaipa kwazvo; asi ndakati, Zvirokwazvo ndihwo hurwere hwangu, ndinofanira kuhutakura hangu.
10:20b.JER.010.020 Tende rangu rakaputswa, mabote angu ose akadamburwa; vana vangu vabva kwandiri, havachiripo; hakuchina ungatatamura tende rangu, kana kumisazve micheka yetende rangu.
10:21b.JER.010.021 Nokuti vafudzi vava vasina njere, havana kubvunza Jehovha; naizvozvo havana kuzofara, namapoka avo ose akapararira.
10:22b.JER.010.022 Inzwai, mukurumbira! Tarirai, bope guru rinouya richibva kunyika yokumusoro, kushandura maguta aJudha ave matongo, panogara makava.
10:23b.JER.010.023 Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.
10:24b.JER.010.024 Haiwa, Jehovha, ndirangei henyu asi muite nokururama; musazviita nokutsamwa kwenyu, kuti murege kundipedza chose.
10:25b.JER.010.025 Dururirai kutsamwa kwenyu pamusoro pamarudzi avanhu vasingakuziviyi, napamusoro pamarudzi asingadani zita renyu; nokuti vakadya Jakobho, zvirokwazvo, vakamudya nokumupedza, vakaparadza hugaro hwake
11
11:1b.JER.011.001 .Shoko rakauya kuna Jeremiya, richibva kuna Jehovha, richiti,
11:2b.JER.011.002 Inzwa mashoko esungano iyi, muataure navanhu vaJudha, navagere Jerusaremu,
11:3b.JER.011.003 uti kwavari, Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, munhu usinganzwi mashoko esungano iyi, ngaatukwe,
11:4b.JER.011.004 aya andakaraira madzibaba enyu nezuva randakavabudisa munyika yeIjipiti, muchoto chamatare, ndichiti, teererai inzwi rangu, muzviite zvose sezvandakakurairai; ipapo muchava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wenyu;
11:5b.JER.011.005 kuti ndisimbise kupika kwandakapikira madzibaba enyu, kuti ndichavapa nyika inoyerera mukaka nouchi, sezvazvakaita zuva ranhasi. Ipapo ndakapindura, ndikati, Ameni, Jehovha.
11:6b.JER.011.006 Zvino Jehovha akati kwandiri, Paridza mashoko awa ose pamaguta aJudha, napanzira dzomuJerusaremu, uchiti, Inzwai mashoko esungano iyi, muaite.
11:7b.JER.011.007 Nokuti ndakarairira madzibaba enyu kwazvo nezuva randakavabudisa munyika yeIjipiti, kusvikira zuva ranhasi, ndichifumira mangwanani, ndichirairira, ndichiti, teererai inzwi rangu.
11:8b.JER.011.008 Asi havana kuteerera, kana kurerekera nzeve dzavo, asi mumwe nomumwe wavo wakaramba achifamba nohukukutu hwomoyo wake wakaipa; naizvozvo ndakauyisa pamusoro pavo mashoko ose esungano iyi, andakavaraira kuti vaaite, asi havana kuaita.
11:9b.JER.011.009 Zvino Jehovha akati kwandiri, Rangano yakaipa yawanikwa pakati pavanhu vaJudha, napakati pavagere Jerusaremu.
11:10b.JER.011.010 Vakadzokera kune zvakaipa zvamadzitateguru avo, akaramba kunzwa mashoko angu, vakatevera vamwe vamwari kuti vavashumire; imba yaIsiraeri neimba yaJudha vakaputsa sungano yangu yandakaita namadzibaba avo.
11:11b.JER.011.011 Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarirai, ndichauyisa zvakaipa pamusoro pavo, zvavasingagoni kutiza; vachadanidzira kwandiri, asi handingavanzwi.
11:12b.JER.011.012 Ipapo vamaguta aJudha navagere Jerusaremu, vachandodanidzira kuna vamwari vavanopisira zvinonhuwira; asi havangatongovaponesi panguva yokutambudzika kwavo.
11:13b.JER.011.013 Nokuti iwe Judha, kuwanda kwavamwari vako kwakafanana nokuwanda kwamaguta ako; uye makavakira chinhu chinonyadzisa maaritari, iwo maaritari okupisira Bhaari zvinonhuwira, akawanda senzira dzomuJerusaremu.
11:14b.JER.011.014 Saka iwe usanyengeterera vanhu ava, kana kudana nokuda kwavo nenzwi rako kana munyengetero wako; nokuti handingavanzwi nenguva yavanodanidzira kwandiri nokuda kwokutambudzika kwavo.
11:15b.JER.011.015 Mudikanwa wangu unotsvakeiko mumba mangu, zvaakaita zvinonyangadza navazhinji? Mhiko nenyama tsvene zvingabvisa njodzi yako here? Ipapo ungafara kwazvo.
11:16b.JER.011.016 Jehovha wakakutumidza zita rinonzi, Muorivhi mutema, wakanaka nezvibereko zvakanaka; asi wakazovesa moto pamusoro pawo nomubvumo webope guru, matavi awo akavhuniwa.
11:17b.JER.011.017 Nokuti Jehovha wehondo, iye wakakusima, wakareva zvakaipa pamusoro pako, nokuda kwezvakaipa zveimba yaIsiraeri, neimba yaJudha, zvavakaita vachinditsamwisa nokupisira kwavo Bhaari zvinonhuwira. Vanorangana zvakaipa pamusoro paJeremiya
11:18b.JER.011.018 Jehovha wakandizivisa izvozvo, ndikazviziva; ipapo mukandiratidza zvavanoita.
11:19b.JER.011.019 Asi ini ndakanga ndakafanana negwaiana nyoro rinoiswa kundobayiwa; ndakanga ndisingazivi kuti vakanga varangana mano akaipa pamusoro pangu, vachiti, Ngatiparadze muti pamwechete nezvibereko zvawo, ngatimubvise chose panyika yavapenyu, zita rake rirege kuzorangarirwa.
11:20b.JER.011.020 Asi imi Jehovha wehondo, imi munotonga zvakarurama, munoidza itsvo nomoyo, ndichaona kutsiva kwenyu kwavari, nokuti ndakakuzarurirai mhaka yangu.
11:21b.JER.011.021 Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pavanhu veAnatoti, vanotsvaka kukuuraya, vachiti, Haufaniri kuporofita nezita raJehovha, kuti urege kuurawa namaoko edu;
11:22b.JER.011.022 naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, Tarirai, ndichavarova; majaya achaurawa nomunondo, vanakomana vavo navanasikana vavo vachaurawa nenzara;
11:23b.JER.011.023 havangasarirwi navanhu, nokuti ndichauyisa zvakaipa pamusoro pavanhu veAnatoti pagore rokurohwa kwavo.
12
12:1b.JER.012.001 Imi Jehovha, makarurama kana ndichikakavara nemi; kunyange zvakadaro ndinoda kutaurirana nemi pamusoro pokururamisa kwenyu, nzira yavakaipa inomufaro neiko? Vanoita nokunyengera vanogarireiko vose vane rugare?
12:2b.JER.012.002 Imi makavasima, zvirokwazvo midzi yavo yakabata; vanokura, zvirokwazvo vanobereka zvibereko; imi muri pedo nemiromo yavo, asi muri kure nemoyo yavo.
12:3b.JER.012.003 Asi imi Jehovha munondiziva; munondiona, munoidza moyo wangu kuti wakadini kwamuri; muvakweve samakwai anondobayiwa, muvagadzirire zuva rokubayiwa.
12:4b.JER.012.004 Nyika ichachema, nemiriwo yenyika yose ichasvava kusvikira rinhiko? Mhuka neshiri zvinopedzwa nokuda kwezvakaipa zvavageremo, nokuti vakati, Haangaoni kuguma kwedu.
12:5b.JER.012.005 Kana uchinge wakamhanya navanofamba namakumbo, ukaneta ungagona seiko kuvivana namabhiza? Kana uchinge wakagara zvakanaka panyika yorugare, ungaita seiko pamatenhere aJorodhani?
12:6b.JER.012.006 Nokuti naidzo hama dzako naveimba yababa vako vakaita nokunyengera kwauri; naivo vakadanidzira kwauri, usavatenda, kunyange vachitaura mashoko akanaka newe. Jehovha achatonga Judha navavengi vavo
12:7b.JER.012.007 Ndasiya imba yangu, ndarasha nhaka yangu; ndaisa mudikanwa womoyo wangu mumaoko avavengi vake.
12:8b.JER.012.008 Nhaka yangu yava kwandiri seshumba iri mudondo; yandiombera, saka ndakaivenga
12:9b.JER.012.009 Ko nhaka yangu yava kwandiri segondo rinamavara here? Makondo akaikomba kumativi ose here? Endai mundokokera zvikara zvose zvokusango, muuye nazvo zvidye.
12:10b.JER.012.010 Vafudzi vazhinji vakaparadza munda wangu wemazambiringa, vakatsika mugove wangu namakumbo avo, vakaita mugove wangu unodikanwa rive renje risina chinhu.
12:11b.JER.012.011 Vakauita dongo; unochema kwandiri, zvawakaitwa dongo; nyika yose yakaitwa dongo, nokuti hakuna munhu une hanya nayo.
12:12b.JER.012.012 Vaparadzi vakasvika pazvikomo zvose zvisina miti murenje; nokuti munondo waJehovha unopedza kubva kumugumo mumwe wenyika kusvikira kunomumwe mugumo wenyika; hakuna nyama ino rugare.
12:13b.JER.012.013 Vakakusha zviyo, asi vakacheka minzwa; vakazvitambudza, asi havana kuwana chinhu; muchanyadziswa pamusoro pezvibereko zveminda yenyu, nokuda kwokutsamwa kukuru kwaJehovha.
12:14b.JER.012.014 Zvanzi naJehovha pamusoro povokwangu vose vakaipa vanopamba nhaka yandakagarisa vanhu vangu vaIsiraeri, Tarirai, ndichavadzura panyika yavo, ndichadzura veimba yaJudha pakati pavo.
12:15b.JER.012.015 Zvino kana ndavadzura, ndichadzoka, ndikavanzwira tsitsi, ndichavadzosera mumwe nomumwe kunhaka yake, nomumwe nomumwe kunyika yake.
12:16b.JER.012.016 Zvino kana vachidzidza zvakanaka tsika dzavanhu vangu, kupika nezita rangu, vachiti, NaJehovha mupenyu, sezvavakadzidzisa vanhu vangu kupika naBhaari, ipapo vachavakiswa pakati pavanhu vangu.
12:17b.JER.012.017 Asi kana vasinganzwi, ndichadzura rudzi uro, ndicharudzura nokuruparadza ndizvo zvinotaura Jehovha.
13
13:1b.JER.013.001 Zvanzi naJehovha kwandiri, Enda undozvitengera bhanhire romucheka, uzvisunge chiuno naro; asi usariisa mumvura.
13:2b.JER.013.002 Ipapo ndakatenga bhanhire, sezvakarehwa neshoko raJehovha, ndikazvisunga chiuno naro.
13:3b.JER.013.003 Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri rwechipiri, richiti,
13:4b.JER.013.004 Tora bhanhire rawatenga, riri pachiuno chako, usimuke uende kurwizi rwaYufuratesi, undoriviga mumukaha wedombo.
13:5b.JER.013.005 Ipapo ndakaenda, ndikandoriviga parwizi Yufuratesi, sezvandakarairwa naJehovha.
13:6b.JER.013.006 Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, Jehovha akati kwandiri, Simuka, uende kwaYufuratesi, utorepo bhanhire randakakuraira kuti urivigepo.
13:7b.JER.013.007 Ipapo ndakaenda kwaYufuratesi, ndikachera, ndikatora bhanhire pandakanga ndariviga; zvino tarira, bhanhire rakanga raora, risina basa chose.
13:8b.JER.013.008 Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,
13:9b.JER.013.009 Zvanzi naJehovha, Saizvozvo ndichaodza kuzvikudza kwaJudha, nokuzvikudza kukuru kweJerusaremu.
13:10b.JER.013.010 Vanhu ava vakaipa, vanoramba kunzwa mashoko angu, vanofamba nohukukutu hwemoyo yavo, vakatevera vamwe vamwari kuti vavashumire nokuvanamata, vachafanana nebhanhire iri, risina basa chose.
13:11b.JER.013.011 Nokuti bhanhire sezvarinonamatira pachiuno chomunhu, saizvozvo ndakanga ndanamatidza imba yalsiraeri yose neimba yaJudha kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha kuti vave vanhu vangu, nembiri yangu, nokurumbidzwa kwangu, nokubwinya kwangu; asi vakaramba kuteerera.
13:12b.JER.013.012 Naizvozvo unofanira kutaura shoko iri kwavari, Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, Mudziyo mumwe nomumwe uchazadzwa newaini; zvino ivo vachati kwauri, Hatizivi kanhi kuti mudziyo mumwe nomumwe uchazadzwa newaini?
13:13b.JER.013.013 Ipapo uti kwavari, Zvanzi naJehovha tarirai, vose vagere munyika ino, iwo madzimambo agere pachigaro choushe chaDhavhidhi, navapirisiti navaporofita, navose vagere Jerusaremu, ndichavazadza nokubatwa newaini.
13:14b.JER.013.014 Ndichavagumirisana, madzibaba navanakomana vavo pamwechete ndizvo zvinotaura Jehovha. Handinganzwiri tsitsi, handingadariki mumwe, kana kuva nengoni, kuti ndirege kuvaparadza.
13:15b.JER.013.015 Inzwai, murerekere nzeve; musazvikudza, nokuti Jehovha wakataura.
13:16b.JER.013.016 Rumbidzai Jehovha, Mwari wenyu, asati auyisa rima, tsoka dzenyu dzisati dzagumburwa pamakomo erima, iye asati ashandura chiedza chamakamirira, akachiita mumvuri worufu, nokuchiita rima guru.
13:17b.JER.013.017 Asi kana musingadi kuzvinzwa, mweya wangu uchakuchema pakavanda nokuda kwokuzvikudza kwenyu; meso angu achachema kwazvo, achayerera misodzi, nokuti boka raJehovha ratapwa.
13:18b.JER.013.018 Iti kuna mambo nokuna mai vamambo, Garai pasi-pasi kwazvo, nokuti zvishongo zvemisoro yenyu zvawira pasi, iyo korona yokukudzwa kwenyu.
13:19b.JER.013.019 Maguta okurutivi rwezasi akazarirwa, hakuna unoazarura; vaJudha vakatapwa vose, vakatapwa chose-chose.
13:20b.JER.013.020 Ringira meso ako, uone vanobva kurutivi rwokumusoro. Ko boka rowakapiwa, iro boka rako rakanaka kwazvo, riripi?
13:21b.JER.013.021 Uchati kudiniko kana achiisa pamusoro pako ivo vawakadzidzisa kuva shamwari dzako vave vabati vako? Haungabatwi nokurwadziwa sokomukadzi unopona here?
13:22b.JER.013.022 Zvino kana ukati mumoyo mako, Izvozvi zvandiwira neiko? nguvo dzako dzakafukurwa nezvitsitsino zvako zvakuvadzwa nemhaka yohukuru hwezvakaipa zvenyu.
13:23b.JER.013.023 Ko muItiopia ungashandura ganda rake, kana ingwe mavara ayo here? Kana zvaibvira, nemiwo maigona kuita zvakanaka, iyemi makarovera kuita zvakaipa.
13:24b.JER.013.024 Saka ndichavaparadzira sehundi inopepereswa nemhepo murenje.
13:25b.JER.013.025 Ndizvo zvawakagoverwa, ndiwo mugove wawakayererwa neni ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti wakandikanganwa, ukavimba nezvehama.
13:26b.JER.013.026 Saka ndichafukurawo nguvo dzako pamberi pako, kunyadziswa kwako kuonekwe.
13:27b.JER.013.027 Ndakaona kunyangadza kwako, ihwo hupombwe hwako, nokufembedza kwako, nokunyadza kwokupombora kwako pazvikomo zvokubundo. Une nhamo, iwe Jerusaremu! Unoramba kunatswa; zvichadaro kusvikira rinhiko?
14
14:1b.JER.014.001 Shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya pamusoro pokusanaya kwemvura.
14:2b.JER.014.002 VaJudha vanochema, namasuo avo anoshaiwa simba, vagere pasi vakafuka nguvo nhema; kuchema kweJerusaremu kwakwira kumusoro.
14:3b.JER.014.003 Vakuru vavo vanotuma varanda vavo kumvura; vanosvika kumadziva, ndokushaiwa mvura, vanodzoka nezvirongo zvisina; vakanyadziswa nokukanganiswa, vanofukidza misoro yavo.
14:4b.JER.014.004 Varimi vanonyadziswa, vanofukidza misoro yavo, nokuda kwenyika yakaparuka, nokuti mvura haina kunaya payika,
14:5b.JER.014.005 Zvirokwazvo hadzi yenondo inoberekawo musango, ndokurasha mhuru yayo, nokuti hakuna bumudza.
14:6b.JER.014.006 Mbizi dzinomira pazvikomo zvisina miti, dzichifema mhepo samakava; meso adzo aneta, nokuti hakuna huswa.
14:7b.JER.014.007 Kunyange zvakaipa zvedu zvichitipupurira, imi Jehovha, batai nokuda kwezita renyu; nokuti kudzokera kwedu kuzhinji; takakutadzirai.
14:8b.JER.014.008 Imi chitariro chaIsiraeri, Muponesi wavo nenguva yokutambudzika, munoitireiko somutorwa panyika, uye somufambi unotsauka kuzovata vusiku chete?
14:9b.JER.014.009 Munoitireiko somunhu unotya, somunhu une simba usingagoni kuponesa? Kunyange zvakadaro imi Jehovha muri pakati pedu, takatumidzwa nezita renyu; regai kutisiya.
14:10b.JER.014.010 Zvanzi naJehovha kuvanhu ava, Saizvozvo vakafarira kudzungaira, havana kudzora tsoka dzavo; naizvozvo Jehovha haana kuvafarira; zvino ucharangarira zvakaipa zvavo, nokuvarova pamusoro pezvivi zvavo.
14:11b.JER.014.011 Jehovha akati kwandiri, Usanyengeterera vanhu ava uchivakumbirira zvakanaka.
14:12b.JER.014.012 Kana vachizvinyima zvokudya, handinganzwi kuchema kwavo; kana vachiuya nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvoupfu, handingazvigamuchiri; asi ndichavapedza nomunondo, nenzara, uye nehosha.
14:13b.JER.014.013 Ipapo ndakati, Haiwa, Jehovha Mwari, tarirai, vaporofita vanoti kwavari, Hamungaoni munondo, kana kunzwa nzara; asi ndichakupai rugare rwazvokwadi panzvimbo ino.
14:14b.JER.014.014 Ipapo Jehovha akati kwandiri, Vaporofita vanoporofita nhema muzita rangu; ini handina kuvatuma, ini handina kuvaraira, kana kutaura navo; vanokuporofitirai zvinonzi zvakaonekwa asi dziri nhema, nezvakaukwa, nezvisina maturo, nokunyengera kwemoyo yavo.
14:15b.JER.014.015 Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pavaporofita vanoporofita muzita rangu, ndisina kuvatuma hangu, vachiti, Munondo nenzara hazvingavi munyika ino; zvanzi, Vaporofita avo vachapedzwa nomunondo nenzara.
14:16b.JER.014.016 Navanhu vavanoporofitira vacharashwa munzira dzomuJerusaremu nemhaka yenzara nomunondo; vachashaiwa unovaviga ivo, navakadzi vavo, navanakomana vavo, navanasikana vavo; nokuti ndichadurura zvakaipa zvavo pamusoro pavo.
14:17b.JER.014.017 Zvino iwe chivaudza shoko iri uti, Meso angu angaayerere misodzi vusiku namasikati, asarega; nokuti mhandara mukunda wavanhu vangu wakuvadzwa nokukuvadzwa kukuru, nevanga rakaipa kwazvo.
14:18b.JER.014.018 Kana ndichifamba musango, tarirai, vakaurawa nomunondo! Kana ndichipinda muguta, tarirai, vanorwara nenzara! Nokuti vaporofita navapirisiti vose vanopota nenyika, vasingazivi chinhu.
14:19b.JER.014.019 Maramba Judha chose here? Mweya wenyu wasema Ziyoni here? Matirovereiko, tikashaiwa kuporeswa? Takatarira rugare, asi hakuna chakanaka chakauya, nenguva yokuporeswa, asi tarirai, kuvhunduswa bedzi!
14:20b.JER.014.020 Haiwa Jehovha, tinoziva zvakaipa zvedu, nokutadza kwamadzibaba edu; nokuti takakutadzirai.
14:21b.JER.014.021 Regai kutisema nokuda kwezita renyu; regai kushoora chigaro chokukudzwa kwenyu; rangarirai henyu, musaputsa sungano yenyu nesu.
14:22b.JER.014.022 Varipo here pakati pavamwari vasina maturo vavahedheni vanganisa mvura? Denga ringanisa mvura here? Hamuzimi here, imi Jehovha Mwari wedu? Naizvozvo tichakumirirai, nokuti ndimi makaita zvinhu izvi zvose.
15
15:1b.JER.015.001 Ipapo Jehovha akati kwandiri, Kunyange Mosesi naSamueri vamire pamberi pangu, moyo wangu haungavi nehanya navanhu ava; uvadzinge pamberi pangu, vaende.
15:2b.JER.015.002 Zvino kana vakati kwauri, Tichaendepiko? Uti kwavari, Zvanzi naJehovha vakafanirwa norufu ngavaende kurufu, vakafanirwa nenzara, kunzara, navakafanirwa nokutapwa, kukutapwa.
15:3b.JER.015.003 Ndichavatumira njodzi dzamarudzi mana ndizvo zvinotaura Jehovha munondo kuvauraya, nembwa kuvakwekweredza, neshiri dzokudenga nezvikara zvenyika kuvadya nokuvaparadza.
15:4b.JER.015.004 Ndichavadzungaidza pakati poushe hwenyika, nemhaka yaManase, mwanakomana waHezekia, mambo waJudha, pamusoro pezvaakaita paJerusaremu.
15:5b.JER.015.005 Nokuti ndiani uchakunzwira tsitsi, iwe Jerusaremu? Ndiani uchakuchema? Ndianiko uchatsauka kuzobvunza mufaro wako?
15:6b.JER.015.006 Zvanzi naJehovha, Wakandiramba, wakadzokera shure; saka ndakatambanudzira ruoko rwangu kurwa newe, ndikakuparadza; ndaneta nokuzvidemba:
15:7b.JER.015.007 Ndakavandudza nechokurudza pamasuo enyika; ndakavatorera vana vavo, ndakaparadza vanhu vangu; asi havana kudzoka panzira dzavo.
15:8b.JER.015.008 Chirikadzi dzavo dzandiwandira kupfuura jecha regungwa; ndakauyisira mai namajaya muparadzi panguva yamasikati; ndakawisira mai kamwe-kamwe kurwadziwa nezvinotyisa.
15:9b.JER.015.009 Iye, wakabereka vanomwe, wapera simba, wabudisa mweya wake; zuva rake rakavira achiri masikati; wakanyadziswa nokukanganiswa; vakasara vavo ndichavaurayisa nomunondo pamberi pavavengi vavo ndizvo zvinotaura Jehovha.
15:10b.JER.015.010 Ndine nhamo mai vangu, zvavakandibereka ndive munhu wenharo nomunhu wegakava panyika yose ! Handina kupa chikwerete, navanhu havana kutora chikwerete kwandiri; kunyange zvakadaro vanondituka vose.
15:11b.JER.015.011 Jehovha akati, Zvirokwazvo, ndichakusimbisira zvakanaka; zvirokwazvo, ndichanyengeteresa muvengi wako kwauri nenguva yezvakaipa, uye nenguva yokutambudzika.
15:12b.JER.015.012 Ko dare ringavhuniwa here, iro dare rinobva kurutivi rwokumusoro, kana ndarira here?
15:13b.JER.015.013 Nhumbi dzako nefuma yako ndichazviisa kukutapwa, zvisingatengwi, nokuda kwezvivi zvako zvose pamiganho yako yose.
15:14b.JER.015.014 Ndichakuendisa navavengi vako kunyika yausingazivi; nokuti moto wakabatidzwa nokutsamwa kwangu, uchapfuta pamusoro penyu.
15:15b.JER.015.015 Haiwa Jehovha, imi munoziva; ndirangarirei, mundishanyire, munditsivire vatambudzi vangu; musandibvisa pakuitira kwenyu vamwe moyo murefu; zivai kuti ndakatukwa nokuda kwenyu.
15:16b.JER.015.016 Mashoko enyu akawanikwa, ndikaadya; mashoko enyu akava mufaro wangu nokufadzwa kwomoyo wangu; nokuti ndakatumidzwa nezita renyu, imi Jehovha, Mwari wehondo.
15:17b.JER.015.017 Handina kugara pakati peungano yavanoseka, kana kufara navo; ndakagara ndiri ndoga nokuda kworuoko rwenyu, nokuti makandizadza nokutsamwa kwenyu.
15:18b.JER.015.018 Kurwadziwa kwangu kunorambireiko kuripo nokusingaperi, vanga rangu rinorambirei kurapwa, risingadi kupora? Muchava kwandiri zvirokwazvo sorukova runonyengera, semvura inopwa here?
15:19b.JER.015.019 Saka zvanzi naJehovha, Kana ukadzoka, ndichakudzosa, kuti umire pamberi pangu; kana ukatsaura zvakanaka uchizvibvisa pane zvakaipa, uchava somuromo wangu; ivo vachadzokera kwauri, asi iwe usadzokera kwavari.
15:20b.JER.015.020 Ndichakuita kuna vanhu ava rusvingo rwendarira rwakasimbiswa; vacharwa newe asi havangakukundi, nokuti ini ndinewe ndikuponese nokukurwira.
15:21b.JER.015.021 Ndichakurwira pamaoko avakaipa, nokukudzikunura pamaoko avanotyisa.
16
16:1b.JER.016.001 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandirizve, richiti,
16:2b.JER.016.002 Rega kuwana mukadzi kana kuva navanakomana kana vanasikana panzvimbo ino.
16:3b.JER.016.003 Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro pavanakomana napamusoro pavanasikana vanoberekerwa panzvimbo ino, napamusoro pamadzimai avo akavabereka, napamusoro pamadzibaba avo akavabereka panyika ino,
16:4b.JER.016.004 Vachafa norufu rwakaipa kwazvo; havangachemwi kana kuvigwa; vachava somupfudze panyika; vachapedzwa nomunondo uye nenzara; zvitunha zvavo zvichava zvokudya zveshiri dzokudenga nezvikara zvenyika.
16:5b.JER.016.005 Nokuti zvanzi naJehovha, Usapinda muimba yokuchema, usavawungudzira kana kuvachema; nokuti zvanzi naJehovha, Ndabvisa rugare rwangu pavanhu ava, ihwo hunyoro hwangu nenyasha dzangu.
16:6b.JER.016.006 Vakuru navaduku vose vachafa munyika ino; havangavigwi, navanhu havangavachemi, kana kuzvicheka nokuzviveura nokuda kwavo;
16:7b.JER.016.007 vanhu havangavameduriri chingwa pakuchema kwavo, vachiti vavanyaradze pamusoro pavakafa, uye vanhu havangavapi mukombe wokunyaradza vanwe pamusoro pababa vavo kana mai vavo.
16:8b.JER.016.008 Newe usapinda muimba yomutambo, kuti ugare navo, uchidya nokunwa.
16:9b.JER.016.009 Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Tarirai, ndichagumisa panzvimbo ino, muchizviona pamazuva enyu, inzwi rokuseka, nenzwi romufaro, nenzwi rechikomba nenzwi romwenga.
16:10b.JER.016.010 Zvino kana uchizivisa vanhu ava mashoko awa ose, vachati kwauri, Jehovha wakarevereiko zvakaipa izvi zvikuru zvose pamusoro pedu? Kutadza kwedu ndokwei? Zvivi zedu ndezvei, zvatakaitira Jehovha Mwari wedu?
16:11b.JER.016.011 Ipapo iwe uti kwavari, Zvanzi naJehovha, nokuti madzibaba enyu akandisiya, vakatevera vamwe vamwari, nokuvashumira nokuvanamata, vakandisiya ini, vakasachengeta murayiro wangu;
16:12b.JER.016.012 zvino imi makaita zvakaipa kupfuura madzibaba enyu; nokuti tarirai, munofamba mumwe nomumwe nohukukutu hwomoyo wake wakaipa, muchiramba kunditeerera.
16:13b.JER.016.013 Saka ndichakudzingai panyika ino ndichikuisai kunyika yamakanga musingazivi, kunyange imi kunyange madzibaba enyu; ipapo muchashumira vamwe vamwari masikati novusiku, nokuti handingakunzwiriyi ngoni.
16:14b.JER.016.014 Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarirai, mazuva anouya, avachasazoti, NaJehovha mupenyu, wakabvisa vana vaIsiraeri panyika yeIjipiti;
16:15b.JER.016.015 asi NaJehovha mupenyu, wakabvisa vana vaIsiraeri kunyika yokumusoro, nokunyika dzose dzaakanga avadzingira kwadziri. Ndichavadzoserazve kunyika yavo yandakapa madzibaba avo.
16:16b.JER.016.016 Zvanzi naJehovha, Tarirai, ndichandodana vabati vazhinji vehove, ivo vachavabata sehove; pashure ndichandodana vavhimi vazhinji, ivo vachavavhima pamakomo ose nezvikomo zvose, napamapako ose amatombo.
16:17b.JER.016.017 Nokuti meso angu anoona nzira dzavo dzose, hazvina kuvanzika pamberi pangu, zvakaipa zvavo hazvina kuvanziwa pameso angu.
16:18b.JER.016.018 Ndichatanga kuvatsivira zvakaipa zvavo nezvivi zvavo kaviri, nokuti vakasvibisa nyika yangu nezvitunha zvezvinhu zvavo zvinosemesa, nokuzadza nhaka yangu nezvinonyangadza zvavo.
16:19b.JER.016.019 Imi Jehovha, simba rangu, nenhare yangu, nohutiziro hwangu pazuva rokutambudzika, marudzi achauya kwamuri achibva kumigumo yenyika, achiti, Madzibaba edu akagara nhaka yenhema dzoga, zvinhu zvisina maturo, nezvinhu zvisingabatsiri.
16:20b.JER.016.020 Ko munhu ungazviitira vamwari vasati vari vamwari here?
16:21b.JER.016.021 Naizvozvo, tarirai, ndichavazivisa, ndichavazivisa panguva ino chete ruoko rwangu nesimba rangu; vachaziva kuti zita rangu ndiJehovha.
17
17:1b.JER.017.001 Zvivi zvaJudha zvakanyorwa nepeni yamatare, nomuromo wedhaimani; zvakatemwa pamahwendefa emoyo yavo, napanyanga dzamaaritari enyu
17:2b.JER.017.002 nguva dzose kana vana vavo vachirangarira maaritari avo nemiti yavo yakatsaurwa pamiti mitema pazvikomo zvakakwirira.
17:3b.JER.017.003 Iwe gomo rangu riri kusango, nhumbi dzako nefuma yako yose ndichazvitapisa, nenzvimbo dzako dzakakwirira, nokuda kwezvivi zvenyu zviri mumiganho yenyu yose.
17:4b.JER.017.004 Nemi, iyemi mumene, mucharega nhaka yenyu yandakakupai; ndichakuitai varanda vavavengi venyu munyika yamusingazivi, nokuti makabatidza moto pakutsamwa kwangu, uchapfuta nokusingaperi.
17:5b.JER.017.005 Zvanzi naJehovha, Ngaatukwe iye munhu unovimba nomumwe munhu, unoita nyama yomunhu ruoko rwake, unomoyo unotsauka kuna Jehovha.
17:6b.JER.017.006 Nokuti uchafanana negwenzi murenje, haangaoni kana zvakanaka zvichisvika, asi uchagara panzvimbo dzakaoma kwazvo murenje, munyika yebare isingagarwi navanhu.
17:7b.JER.017.007 Wakaropafadzwa iye munhu unovimba naJehovha, wakaita Jehovha chivimbo chake.
17:8b.JER.017.008 Nokuti uchava somuti wakasimwa pamvura, unotuma midzi yawo kurwizi, usingatyi kana kupisa kuchisvika, asi mashizha awo achava matema; haungarangariri pagore rokusanaya kwemvura, kana kurega kubereka zvibereko.
17:9b.JER.017.009 moyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose, ndiani ungauziva?
17:10b.JER.017.010 Ini Jehovha, ndinonzvera moyo, ndinoidza itsvo, kuti ndipe mumwe nomumwe zvakafanira mugariro wake, uye zvakafanira zvibereko zvamabasa ake.
17:11b.JER.017.011 segwari rinogarira mazai arisina kukandira rimene, ndizvo zvakaita iye unozviwanira fuma nokusarurama; ichamusiya pakati pamazuva ake, pakupedzisira kwake richava benzi.
17:12b.JER.017.012 Nzvimbo yeimba yedu tsvene chigaro choushe chakaisvonaka, chakanga chakakwirira kubva pakutanga.
17:13b.JER.017.013 Imi Jehovha, tariro yaIsiraeri, vose vanokurashai vachanyadziswa; vanotsauka kwandiri vachanyorwa muvhu, nokuti vakarasha Jehovha, iro tsime remvura mhenyu.
17:14b.JER.017.014 Ndiporesei Jehovha, ipapo ndichaporeswa; ndiponesei, ipapo ndichaponeswa; nokuti ndimi wandinorumbidza.
17:15b.JER.017.015 Tarirai, vanoti kwandiri, Shoko raJehovha riripiko? Ngariuye zvino.
17:16b.JER.017.016 Kana ndirini, handina kukurumidza kusakuteverai somufudzi, handina kushuva zuva renjodzi imwi munoziva; zvakabuda mumoromo mangu zvakanga zviri pamberi penyu.
17:17b.JER.017.017 Musava kwandiri chinhu chinotyisa; imi muri hutiziro hwangu nezuva rezvakaipa.
17:18b.JER.017.018 Vanonditambudza ngavanyadziswe, asi ini ndirege kunyadziswa; ngavavhunduswe ivo, asi ini ndirege kuvhunduswa; uyisai kwavari zuva rezvakaipa, muvaparadze nokuparadza kwakapamhidzirwa. Vanochengeta Sabata vacharopafadzwa
17:19b.JER.017.019 Jehovha wakati kwandiri, Enda undomira musuo ravana vavanhu, panopinda madzimambo aJudha, napavanobuda, napamasuo ose eJerusaremu,
17:20b.JER.017.020 uti kwavari, Inzwai shoko raJehovha, imi madzimambo aJudha, navaJudha vose, navose vagere Jerusaremu vanopinda napamasuo awa.
17:21b.JER.017.021 Zvanzi naJehovha, Zvichenjerei, murege kutakura mutoro nezuva reSabata, kana kupinda nawo napamasuo eJerusaremu,
17:22b.JER.017.022 musabuda makatakura mutoro padzimba dzenyu nezuva reSabata, kana kubate basa ripi neripi; asi mutsaure zuva reSabata, sezvandakaraira madzibaba enyu.
17:23b.JER.017.023 Asi havana kuteerera, kana kurerekera nzeve dzavo; asi vakaomesa mitsipa yavo kuti varege kunzwa, varege kudzidziswa.
17:24b.JER.017.024 Zvino zvanzi naJehovha, Kana mukanyatsa kunditeerera, mukasapinda nomutoro napamasuo eguta rino nezuva reSabata, asi muchitsaura zuva reSabata, musingabati basa ripi neripi naro;
17:25b.JER.017.025 ipapo pachapinda napamasuo eguta rino madzimambo namachinda anogara pachigaro choushe chaDhavhidhi, anofamba nengoro namabhiza, iwo namachinda awo, navarume vaJudha, navagere Jerusaremu; guta rino richavapo nokusingaperi.
17:26b.JER.017.026 Vachabva kumaguta aJudha, napanzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, napanyika yaBhenjamini, napanyika yamapani, napanyika yamakomo, nokurutivi rwezasi, vachiuya nezvipiriso zvinopiswa, nezvibayiro, nezvipiriso zvohupfu, nezvinonhuwira, vachiuya nezvokuvonga nazvo kuimba yaJehovha.
17:27b.JER.017.027 Asi kana mukaramba kunditeerera, mukaramba kutsaura zuva reSabata, muchitakura mutoro muchipinda nawo napamasuo eJerusaremu nezuva reSabata, ipapo ndichabatidza moto pamasuo aro, uchapedza dzimba dzamambo dzeJerusaremu usingazodzimwi.
18
18:1b.JER.018.001 Shoko rakauya kuna Jeremiya, richibva kuna Jehovha, richiti,
18:2b.JER.018.002 Simuka, uburukire kuimba yomuumbi wehari; ipapo ndichakuzivisa mashoko angu.
18:3b.JER.018.003 Zvino ndakaburukira kuimba yomuumbi wehari, ndikamuwana achibata basa pamakuyo.
18:4b.JER.018.004 Zvino mudziyo waakanga achiita nevhu wakati washatiswa mumaoko omuumbi, akaumbazve naro mumwe mudziyo, sezvaakafunga iye muumbi wehari.
18:5b.JER.018.005 Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti,
18:6b.JER.018.006 Zvanzi naJehovha, Nhai, imi imba yaIsiraeri, handingagoni kuita nemi sezvinoita muumbi uyu wehari here? Tarirai, ivhu sezvarakaita muruoko rwomuumbi wehari, ndizvo zvamakaita muruoko rwangu, imi imba yaIsiraeri.
18:7b.JER.018.007 Nenguva yandichataura pamusoro porudzi rwavanhu, napamusoro poushe, kuti ndicharudzura, nokuruputsa, nokuruparadza;
18:8b.JER.018.008 kana rudzi urwo, rwandakataura zvinhu izvi pamusoro parwo, rukazvidzora pazvakaipa zvarwo, ini ndichazvidemba pamusoro pezvakaipa zvandakafunga kuvaitira.
18:9b.JER.018.009 Uye nenguva yandichataura pamusoro porudzi rwavanhu, napamusoro poushe, kuti ndicharuvaka nokurusima;
18:10b.JER.018.010 kana vakaita zvinhu zvakaipa pamberi pangu, vakasateerera inzwi rangu, ipapo ndichazvidemba pamusoro pezvakanaka zvandakanga ndichiti ndichavaitira.
18:11b.JER.018.011 Naizvozvo zvino, taura navanhu vaJudha navagere Jerusaremu, uti, Zvanzi naJehovha, tarirai, ndinokufungirai zvakaipa, ndinorangana mano akaipa pamusoro penyu; zvino dzokai mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, mugadzire nzira dzenyu namabasa enyu.
18:12b.JER.018.012 Asi ivo vanoti, Hazvina maturo, nokuti tichafamba sezvatinofunga, mumwe nomumwe wedu uchaita nohukukutu hwomoyo wake wakaipa.
18:13b.JER.018.013 Naizvozvo zvanzi naJehovha, Zvino bvunzai pakati pamarudzi, kuti ndiani wakambonzwa zvakadai; mhandara yaIsiraeri yakaita chinhu chakaipa kwazvo.
18:14b.JER.018.014 Ko chando chakachena chapaRebhanoni chingashaikwa padombo rokusango here? Mvura inotonhora, inoyerera ichibva kure ingapwa here?
18:15b.JER.018.015 nokuti vanhu vangu vakandikanganwa, vakapisira vamwari venhema zvinonhuwira; ivo vakagumbuswa panzira dzavo, pamakwara akare-kare, kuti vafambe nenzira dzinotsauka, panzira isina kugadzirwa.
18:16b.JER.018.016 Kuti vaite nyika yavo chishamiso nechinoridzirwa murudzi nokusingaperi; mumwe nomumwe unopfuurapo uchashamiswa, nokudzungudza musoro wake.
18:17b.JER.018.017 Ndichavaparadzira pamberi pavavengi vavo sezvinoita mhepo inobva kumabvazuva; ndichavafuratira, handingavatariri nechiso, nezuva rokutambudzika kwavo.
18:18b.JER.018.018 Ipapo vakati, Uyai, tirangane mano akaipa pamusoro paJeremiya; nokuti murayiro haungashaikwi kumupirisiti, kana kurairira kunowakachenjera, kana shoko kumuporofita. Uyai, timurove norurimi, tirege kuva nehanya nerimwe ramashoko ake.
18:19b.JER.018.019 Jehovha, nditeererei, munzwe inzwi ravanokakavara neni.
18:20b.JER.018.020 Zvakaipa zvingatsihwa nezvakanaka here? Nokuti vakacherera mweya wangu gomba. Rangarirai kumira kwangu pamberi penyu kuti ndivareverere zvakanaka, kuti nditsause kutsamwa kwenyu kwavari.
18:21b.JER.018.021 Saka sundirai vana vavo panzara, muvaregere pasimba romunondo; vakadzi vavo ngavatorerwe vana vavo, vave chirikadzi; varume vavo ngavaurawe norufu, namajaya avo aurawe nomunondo pakurwa.
18:22b.JER.018.022 Kuchema ngakunzwike padzimba dzavo, kana muchivauyisira kamwe kamwe boka ravarwi; nokuti vakachera gomba, kuti vandibate; vakavanzira tsoka dzangu misungo.
18:23b.JER.018.023 Asi imi Jehovha munoziva mano avo ose avakada kundiuraya nawo; musavakanganwira zvakaipa zvavo, kana kudzima zvivi zvavo pamberi penyu; asi ngavawisirwe pasi pamberi penyu; muvaitire zvamunoda nenguva yokutsamwa kwenyu.
19
19:1b.JER.019.001 Zvanzi naJehovha, Enda undotenga chirongo chakaumbwa nomuumbi wehari, unavamwe vakuru vavanhu navamwe vakuru vavapirisiti;
19:2b.JER.019.002 ipapo uende kumupata womwanakomana waHinomi, uripo pavanopinda pasuwo rezvaenga zvehari uparidzirepo mashoko andichakuudza;
19:3b.JER.019.003 uti, Inzwa shoko raJehovha, imi madzimambo aJudha navagere Jerusaremu, zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Tarirai, ndichauyisa zvakaipa pamusoro penzvimbo ino, nzeve dzomumwe nomumwe unozvinzwa dzichawunga.
19:4b.JER.019.004 Nokuti vakandisiya, vakashandura nzvimbo ino, vakapisirapo zvinonhuwira kuna vamwe vamwari vavakanga vasingazivi, ivo namadzibaba avo namadzimambo aJudha, vakazadza nzvimbo ino neropa ravasina mhosva,
19:5b.JER.019.005 vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzaBhaari, kuti vapisire Bhaari vanakomana vavo pamoto zvive zvipiriso zvinomupisirwa; izvo, zvandisina kuvaraira, kana kuzvitaura, zvandisina kufunga mumoyo mangu.
19:6b.JER.019.006 Naizvozvo tarirai, mazuva anouya ndizvo zvinotaura Jehovha nzvimbo ino haichazonzi Tofeti, kana Mupata womwanakomana waHinomi, asi Mupata woKuurawa.
19:7b.JER.019.007 Ndichakonesa mano aJudha naveJerusaremu panzvimbo ino; ndichavawisa nomunondo pamberi pavavengi vavo, uye namaoko avanotsvaka kuvauraya; zvitunha zvavo ndichazvipa shiri dzokudenga nezvikara zvenyika, zvive zvokudya zvazvo.
19:8b.JER.019.008 Guta rino ndichariita chishamiso nechinhu chinoridzirwa muridzo; mumwe nomumwe unopfuura napo uchashamiswa achiridza muridzo nokuda kwamatambudziko aro ose.
19:9b.JER.019.009 Ndichavadyisa nyama yavanakomana vavo nenyama yavanasikana vavo; mumwe nomumwe uchadya nyama yeshamwari yake pakukombwa kwaro napakumanikidzwa kwavachamanikidzwa nako navavengi vavo navanotsvaka kuvauraya.
19:10b.JER.019.010 Zvino unofanira kuputsa chirongo pamberi pavarume vakaenda newe,
19:11b.JER.019.011 ugoti kwavari, Zvanzi naJehovha wehondo, Saizvozvo ndichaputsa vanhu ava neguta rino, sezvinoputswa mudziyo womuumbi wehari, usingabviri kuzogadzirwazve; zvino vachaviga vakafa paTofeti nokuti kuchashaikwa imwe nzvimbo.
19:12b.JER.019.012 Ndizvo zvandichaitira nzvimbo ino navagerepo, ndiite guta rino seTofeti ndizvo zvinotaura Jehovha.
19:13b.JER.019.013 Dzimba dzeJerusaremu, nedzimba dzamadzimambo aJudha, dzakasvibiswa, dzichaita senzvimbo yeTofeti, idzo dzimba dzose dzavakapisira pamatenga adzo zvinonhuwira kuhondo dzokudenga,nokudururira vamwe vamwari zvipiriso zvinodururwa.
19:14b.JER.019.014 Ipapo Jeremiya wakabva Tofeti, kwaakanga atumwa naJehovha kundoporofita, akandomira muruvazhe rweimba yaJehovha, akati kuvanhu vose,
19:15b.JER.019.015 Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Tarirai, ndichauyisa pamusoro peguta rino napamusoro pemisha yaro yose, zvakaipa zvose zvandakataura pamusoro paro; nokuti vakaomesa mitsipa yavo, kuti varege kunzwa mashoko angu.
20
20:1b.JER.020.001 .Zvino Pashuri, mwanakomana womupirisiti Imeri, mutariri mukuru mumba maJehovha, wakanzwa Jeremiya achiporofita zvinhu izvi.
20:2b.JER.020.002 Ipapo Pashuri wakarova muporofita Jeremiya, akamusunga mumatanda aiva pasuo rokumusoro raBhenjamini, raiva mumba maJehovha.
20:3b.JER.020.003 Zvino fume mangwanani Pashuri akasunungura Jeremiya pamatanda. Ipapo Jeremiya akati kwaari, Jehovha haana kukutumidza zita rinonzi Pashuri, asi rinonzi Magorimisabhibhi.
20:4b.JER.020.004 Nokuti zvanzi naJehovha, Tarira, ndinokuita chinhu chinotyisa, chichakutyisa iwe umene neshamwari dzako dzose; vachaparadzwa nomunondo wavavengi vavo, meso ako achazviona; ndichaisa Judha rose mumaoko amambo weBhabhironi, iye uchavatapira Bhabhironi, nokuvauraya nomunondo.
20:5b.JER.020.005 Uyezve, ndichaisa fuma yose yeguta rino, nezvose zvavakawana, nezvose zvavo zvinokosha, zvirokwazvo, nefuma yose yamadzimambo aJudha, ndichazviisa mumaoko avavengi vavo; ivo vachavapamba, nokuvatapa, nokuenda navo Bhabhironi.
20:6b.JER.020.006 Newe Pashuri, navose vagere mumba mako, muchatapwa, iwe uchandosvika Bhabhironi, uchandofirapo, nokuvigwapo, iwe neshamwari dzako dzose, dzawaiporofitira nhema.
20:7b.JER.020.007 Imi Jehovha makandigombedzera, ndikagombedzerwa; imi mune simba kupfuureni, mukakunda; ndakaitwa chinhu chinosekwa zuva rose, mumwe nomumwe unondiseka.
20:8b.JER.020.008 Nokuti ndinoti kana ndotaura, ndodanidzira; ndinodanidzira, ndichiti, Zvinoitwa nesimba nokuparadza Nokuti shoko raJehovha rakaitwa kwandiri chinhu chinoshoorwa, nechinhu chinosekwa zuva rose.
20:9b.JER.020.009 Kana ndichiti, Handichamurangariri, kana kutaura nezita rake, ipapo mumoyo mangu mava somoto unopfuta, wakapfigirwa mumapfupa angu; ndaneta nokutsungirira, handichagoni.
20:10b.JER.020.010 Nokuti ndakanzwa makuhwa avazhinji, zvinotyisa pamativi ose. Pomerai, isu tigomupomera, ndizvo zvinotaura shamwari dzangu dzose dzinodikanwa neni, vanotarira kuparadzwa kwangu; zvimwe uchanyengerwa, tikamukunda, tikazvitsivira kwaari.
20:11b.JER.020.011 Asi Jehovha uneni semhare inotyisa; saka vamanikidzi vangu vachagumburwa, havangakundi; vachanyadziswa kwazvo, nokuti havana kuita nohuchenjeri, nokunyadzwa nokusingaperi, kusingazokanganikwi.
20:12b.JER.020.012 Asi imi Jehovha wehondo, imi, munoidza vakarurama, munoona itsvo nomoyo, ngandione kutsiva kwenyu kwavari; nokuti ndakakuzarurirai imi mhaka yangu.
20:13b.JER.020.013 Imbirai Jehovha, rumbidzai Jehovha; nokuti wakarwira mweya wounoshaiwa pamaoko avaiti vezakaipa.
20:14b.JER.020.014 Zuva randaberekwa naro ngaritukwe, zuva randakaberekwa namai vangu ngarirege kuropafadzwa.
20:15b.JER.020.015 Munhu ngaatukwe wakazivisa baba vangu shoko rokuti, Maberekerwa mwanakomana, akavafadza kwazvo.
20:16b.JER.020.016 Munhu uyo ngaave samaguta akaparadzwa naJehovha, akasazvidemba; ngaanzwe kuchema mangwanani nemhere panguva yamasikati;
20:17b.JER.020.017 zvaakarega kundiuraya ndichiri muchizvaro; saizvozvo mai vangu vangadai vaiva hwiro hwangu, vairamba vane mimba.
20:18b.JER.020.018 Ndakabudireiko pachizvaro, kuti ndione kutambudzika nokuchema, kuti mazuva angu apere nokunyadziswa?
21
21:1b.JER.021.001 Shoko, rakauya kuna Jeremiya, richibva kuna Jehovha, panguva yakatuma mambo Zedhekia kwaari Pashuri mwanakomana waMarikija, naZefaniya mwanakomana waMaaseya mupirisiti, achiti,
21:2b.JER.021.002 Dotibvunziraiwo kuna Jehovha, nokuti Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi worwa nesu; zvimwe Jehovha ungatiitira chishamiso chakafanana namabasa ake ose anoshamisa, kuti abve kwatiri.
21:3b.JER.021.003 Ipapo Jeremiya akati kwavari, Itiyi kuna Zedhekia,
21:4b.JER.021.004 Zvanzi naJehovha, Mwari walsiraeri, tarirai, ndichadzosa nhumbi dzokurwa dziri mumaoko enyu, dzamunorwa nadzo namambo weBhabhironi navaKaradhea vanokukombai kunze mukati meguta rino,
21:5b.JER.021.005 Ini ndimene ndicharwa nemi nechanza chakatambanudzwa noruoko rune simba, nokutsamwa nehasha, neshungu kwadzo.
21:6b.JER.021.006 Ndicharova vagere muguta rino, vanhu nezvipfuwo zvose; zvichafa nehosha yakaipa.
21:7b.JER.021.007 Pashure ndizvo zvinotaura Jehovha ndichaisa Zedhekia mambo waJudha, navaranda vake navanhu vake, ivo vakasara muguta rino, vakapukunyuka pahosha, napamunondo, napanzara, mumaoko aNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, nomumaoko avavengi vavo, nomumaoko avanotsvaka kuvauraya; iye uchavarova nomunondo unopinza, haangavaregi, kana kuvanzwira ngoni, kana kuva nenyasha navo.
21:8b.JER.021.008 Iwe uti kuvanhu ava, Zvanzi naJehovha, Tarirai, ndinoisa pamberi penyu nzira yohupenyu nenzira yorufu.
21:9b.JER.021.009 Ani naani unorambira muguta rino uchaurawa nomunondo nenzara nehosha; asi ani naani unobuda akaenda kuvaKaradhea vanokukombai, iye uchararama, hupenyu hwake huchava kwaari chinhu chaakapamba.
21:10b.JER.021.010 Nokuti zvanzi naJehovha, Ndakarinzira guta rino chiso changu kuti ndiriitire zvakaipa, ndirege kuriitira zvakanaka; richaiswa mumaoko amambo weBhabhironi, iye ucharipisa nomoto.
21:11b.JER.021.011 Zvino kana iri imba yamambo waJudha, inzwai shoko raJehovha,
21:12b.JER.021.012 Nhai imba yaDhavhidhi ndizvo zvinotaura Jehovha tongai zvakarurama mangwanani, murwire wakabirwa muruoko rwounomumanikidza, kuti kutsamwa kwangu kurege kubuda somoto, kuchipfuta kusina ungakudzima, nokuda kwezvakaipa zvamabasa enyu.
21:13b.JER.021.013 Tarira, ndine mhosva newe, iwe ugere mumupata, padombo romubani ndizvo zvinotaura Jehovha; imi, munoti, Ndiani uchapinda mudzimba dzedu?
21:14b.JER.021.014 Ndichakurovai zvakaenzana nezvibereko zvamabasa enyu ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichabatidza moto mudondo raro, uchapedza zvose zvakaripoteredza.
22
22:1b.JER.022.001 Zvanzi naJehovha, Burukira kumba kwamambo waJudha, undotaurapo shoko iri,
22:2b.JER.022.002 uti, Inzwa shoko raJehovha, iwe mambo waJudha, ugere pachigaro choushe chaDhavhidhi,iwe navaranda vako, navanhu vako vanopinda napamasuwo awa.
22:3b.JER.022.003 Zvanzi naJehovha, Tongai zvakarurama nezvakatendeka, murwire wakabirwa muruoko rwounomumanikidza;mutorwa, nenherera, nechirikadzi, regai kuvaitira zvisakarurama, regai kuvaitira nesimba; uye musateura ropa risina mhosva panzvimbo ino.
22:4b.JER.022.004 Nokuti kana muchiita chinhu ichi nomoyo wose, pamasuo eimba iyi pachapinda madzimambo, achagara pachigaro choushe chaDhavhidhi, achifamba nengoro nokutasva mabhiza, iye navaranda vake navanhu vake.
22:5b.JER.022.005 Asi kana mukaramba kunzwa mashoko awa, ndinopika neni ndimene, kuti imba ino ichava dongo ndizvo zvinotaura Jehovha.
22:6b.JER.022.006 Nokuti zvanzi naJehovha, Uri Giriyadhi kwandiri, nomusoro weRebhanoni; asi zvirokwazvo ndichakuita renje, namaguta asingagarwi navanhu.
22:7b.JER.022.007 Ndichakugadzirira vaparadzi, mumwe nomumwe ane nhumbi dzake dzokurwa; vachatema misidhari yenyu inodikanwa, vachiikandira mumoto.
22:8b.JER.022.008 Marudzi mazhinji avanhu achapfuura napaguta rino, mumwe nomumwe uchati kunowokwake, Jehovha wakaitireiko guta rino guru zvakadaro?
22:9b.JER.022.009 Ipapo vachapindura, vachiti, Nokuti vakasiya sungano yaJehovha, Mwari wavo, vakanamata vamwe vamwari, vachivashumira.
22:10b.JER.022.010 Musachema wakafa, kana kumuwungudzira; asi mucheme kwazvo iye unoenda, nokuti haangadzokizve, kana kuonazve nyika yake yaakaberekerwa.
22:11b.JER.022.011 Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro paSharumi, mwanakomana waJosia, mambo waJudha, wakabata ushe panzvimbo ino, Iye haangadzokeripozve;
22:12b.JER.022.012 asi kwaakatapirwa, ndiko kwaachandofirako; haangazoonizve nyika ino.
22:13b.JER.022.013 Une nhamo iye unovaka imba yake nokusarurama, namakamuri ake okumusoro achiita zvisakarurama; unobatisa wokwake asingamupi chinhu, asingamupi mubayiro wokubata kwake;
22:14b.JER.022.014 iye, unoti, Ndichazvivakira imba huru namakamuri okumusoro akafara, achizviitira mahhwindo; zvino yoitirwa denga romusidhari, ichizodzwa muti mutsvuku.
22:15b.JER.022.015 Ko ungabata ushe, zvaunotsvaka kupfuura vamwe nemisidhari here? Ko baba vako havana kudya nokumwa, vachiita , zvakarurama nezvakatendeka here? Ipapo vakagara nomufaro.
22:16b.JER.022.016 Vaitamba mhaka dzavarombo navanoshaiwa; ipapo vaiva nomufaro. Ko izvozvi hakuzi kundiziva here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
22:17b.JER.022.017 Asi meso ako nomoyo wako hazvirangariri zvimwe, asi kuchiva kwako nokuteura ropa risina mhosva, nokumanikidza, nokuita nesimba; kuti uzviite.
22:18b.JER.022.018 Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro paJehoiakimu mwanakomana waJosia, mambo waJudha, Havangamuchemi, vachiti, Haiwa, munununa wangu! Kana, Haiwa, hanzvadzi! Havangachemi, vachiti, Haiwa, ishe! Kana, Haiwa, hukuru hwake!
22:19b.JER.022.019 Uchavigwa sokuvigwa kwembongoro, uchakweverwa nokurashwa kunze kwamasuo eJerusaremu.
22:20b.JER.022.020 Kwirai Rebhanoni, mudanidzire; danidzirai nenzwi renyu paBhashani; danidzirai muri paAbharimi; nokuti vadikani venyu vose vakaparadzwa.
22:21b.JER.022.021 Ndakataura newe pakufara kwako; asi iwe wakati, Handidi kunzwa. Ndiwo wakanga uri mutoo wako kubvira pahuduku hwako, kuti hauna kuteerera inzwi rangu.
22:22b.JER.022.022 Mhepo ichaparadza vafudzi vako vose, navadikani vako vachatapwa, zvirokwazvo nenguva iyo uchanyadziswa nokukanganiswa nokuda kwezvakaipa zvako zvose.
22:23b.JER.022.023 Haiwa, iwe, ugere Rebhanoni, unovaka dendere rako mumisidhari, uchanzwisisa hurombo kwazvo sei kana uchizowirwa nokurwadziwa, sokurwadziwa kwomukadzi unosurumuka!
22:24b.JER.022.024 Nohupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Jehovha kunyange Konia, mwanakomana waJehoiakimu, mambo waJudha, aiva chindori chokutsikisa nacho paruoko rwangu rworudyi, kunyange zvakadaro ndaikubvisa ipapo.
22:25b.JER.022.025 Ndichakuisa muruvoko rwavanotsvaka kukuuraya, nomuruvoko rwaivo vaunotya, muruoko rwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, nomumaoko avaKaradhea.
22:26b.JER.022.026 Iwe namai vako vakakubereka ndichakudzingirai kuneimwe nyika kwamusina kuberekerwa; ipapo muchandofirapo.
22:27b.JER.022.027 Asi kunyika kunopanga moyo yavo kudzokera, havangadzokeriko.
22:28b.JER.022.028 Ko munhu uyu Konia mudziyo wakaputsika unozvidzwa here? Iye mudziyo usingafadzi munhu here? Vakadzingirweiko, iye navana vake, vakadzingirwa kunyika yavasingazivi?
22:29b.JER.022.029 Iwe nyika, nyika, nyika, inzwa inzwi raJehovha.
22:30b.JER.022.030 Zvanzi naJehovha, Nyora kuti munhu uyu haana vana, munhu usingazofari pamazuva ake; nokuti hakuchina murume pakati pavana vake uchava nomufaro,uchagara pachigaro choushe chaDhavhidhi, achibata ushe hwaJudha,
23
23:1b.JER.023.001 Vane nhamo vafudzi vanoparadza nokuparadzira makwai amafuro angu! Ndizvo zvinotaura Jehovha.
23:2b.JER.023.002 Naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, pamusoro pavafudzi vanofudza vanhu vangu, Makaparadzira makwai angu, mukaadzinga, mukasaatarira; tarirai, ndichakurovai nokuda kwezvakaipa zvamabasa enyu ndizvo zvinotaura Jehovha.
23:3b.JER.023.003 Ndichaunganidza vakasara vamakwai angu kunyika dzose kwandakanga ndaadzingira, ndichaadzosera kumafuro awo; achaberekana nokuwanda.
23:4b.JER.023.004 Ndichaagadzira vafudzi vanoafudza; haangazotyi kana kuvhunduswa, hakuna nerimwe ringashaikwa ndizvo zvinotaura Jehovha. Bukira raDhavhidhi
23:5b.JER.023.005 Tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha, Mazuva achauya, andichamutsira Dhavhidhi bukira rakarurama, iye uchabata ushe ari mambo, uchaita nohuchenjeri nokururama achiita zvakarurama panyika.
23:6b.JER.023.006 Pamazuva ake VaJudha vachaponeswa, naVaIsiraeri vachagara vakachengetwa; zita rake raachatumidzwa ndireri, Jehovha ndiye kururama kwedu.
23:7b.JER.023.007 Naizvozvo, tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha mazuva anouya, avasingazoti, NaJehovha mupenyu, wakabudisa vana valsiraeri munyika yeIjipiti;
23:8b.JER.023.008 asi, NaJehovha mupenyu, wakabudisa rudzi rweimba yaIsiraeri munyika yokumusoro, achivaperekedza, nomunyika dzose kwandakanga ndavadzingira. Ivo vachagara munyika yavo. Vaporofita venhema vanotukwa
23:9b.JER.023.009 Kana vari vaporofita, moyo wangu wakaputsika mukati mangu; mapfupa angu ose anozununguka, ndakaita somunhu wakabatwa, somunhu wakundwa newaini, nokuda kwaJehovha, uye nokuda kwamashoko ake matsvene.
23:10b.JER.023.010 Nokuti nyika izere nemhombwe; nokuti nyika inochema nemhaka yokutuka, mafuro erenje akaoma; zvavanovavarira zvakaipa, simba ravo harizakarurama.
23:11b.JER.023.011 Nokuti vaporofita navapirisiti vose vanomhura Jehovha; zvirokwazvo, mumba mangu ndakawana zvakaipa zvavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
23:12b.JER.023.012 Naizvozvo nzira yavo ichava kwavari senzvimbo dzinotedza murima; vachatinhwa, ndokuwiramo; nokuti ndichavauyisira zvakaipa pagore rokurohwa kwavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
23:13b.JER.023.013 Ndakaona hupenzi kuvaporofita veSamaria; vakaporofita naBhaari, vakashatisa vanhu vangu Isiraeri.
23:14b.JER.023.014 Kuvaporofita veJerusaremu ndakaonawo chinhu chinonyangadza, vanoita hupombwe, nokufamba nenhema; vanosimbisa maoko avanoita zvakaipa, naizvozvo hakuna nomumwe unodzoka pazvakaipa zvake; vose vava kwandiri seSodhoma, navagerepo seGomora.
23:15b.JER.023.015 Naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo pamusoro pavaporofita, Tarirai, ndichavadyisa gavakava, ndichavanwisa mvura yenduru; nokuti kumhura Jehovha kwakabuda kuvaporofita veJerusaremu kukaenda kunyika yose.
23:16b.JER.023.016 Zvanzi naJehovha wehondo, Regai kuteerera mashoko avaporofita vanokuporofitirai; vanokudzidzisai zvisina maturo, vanotaura zvavakaona pamoyo yavo, zvisati zviri izvo zvinobuda mumuromo waJehovha.
23:17b.JER.023.017 Vanoramba vachiti kuna vanondizvidza, Jehovha wakati, Muchava norugare; uye kunomumwe nomumwe unofamba nohukukutu hwomoyo wake, vanoti, Hakune chakaipa chingakuwira.
23:18b.JER.023.018 Nokuti ndiani wakamira parangano yaJehovha, akaona nokunzwa shoko rake? Ndiani wakateerera akanzwa shoko rake?
23:19b.JER.023.019 Tarirai, dutu remhepo raJehovha, iko kutsamwa kwake, rabuda, zvirokwazvo dutu rechamupupuri; richamonereka pamisoro yavakaipa.
23:20b.JER.023.020 Kutsamwa kwaJehovha hakungadzoki, kusvikira azviita, apedza ndangariro dzomoyo wake; pamazuva okupedzisira muchazvinzwisisa kwazvo.
23:21b.JER.023.021 ini handina kutuma vaporofita ava, kunyange zvakadaro vakamhanya; ini handina kutaura navo, kunyange zvakadaro vakaporofita.
23:22b.JER.023.022 Asi dai vakanga vamira parangano yangu, vangadai vakanzwisa vanhu vangu mashoko angu, vakavadzora panzira yavo yakaipa, napazvakaipa zvamabasa avo.
23:23b.JER.023.023 Ko ini ndiri Mwari uri pedo, ndisati ndiri Mwari uri kure here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
23:24b.JER.023.024 Ko munhu uripo ungavanda panzvimbo dzisingazikanwi, ini ndikasamuona here? Ndizvo zvinotaura Jehovha. Ko ini handizadzi denga nenyika here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
23:25b.JER.023.025 Ndakanzwa zvakarehwa navaporofita, vanoporofita nhema muzita rangu, vachiti, Ndarota hope, ndarota hope.
23:26b.JER.023.026 Ko izvi zvichavapo pamoyo yavaporofita vanoporofita nhema kusvikira rinhi, ivo vaporofita vezvinonyengera zvemoyo yavo?
23:27b.JER.023.027 Ivo, vanofunga kukanganisa vanhu vangu zita rangu nokurota kwavo, kwavanoudza mumwe nomumwe hama yake, madzibaba avo sezvavakakanganwa zita rangu nokunamata Bhaari.
23:28b.JER.023.028 Muporofita, wakarota, ngaaudze kurota kwake; uneshoko rangu, ngaataure shoko rangu nokutendeka. Mashanga nezviyo zvakaenzana pai? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
23:29b.JER.023.029 Shoko rangu harina kufanana nomoto here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; uye senyundo inoputsanya dombo here?
23:30b.JER.023.030 Naizvozvo, tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha, handina hukama navaporofita, vanoba mashoko angu mumwe nomumwe kunowokwake.
23:31b.JER.023.031 Tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha, handina hukama navaporofita, vanoreva namarimi avo, vachiti, Ndiye unodaro.
23:32b.JER.023.032 Tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha, handina hukama navanoporofita kurota kwavo kwenhema, vachiudza vamwe, vachirashisa vanhu vangu nenhema dzavo uye nokuzvirumbidza kwavo kusina maturo; kunyange zvakadaro handina kuvatuma, kana kuvaraira; uye havatongobatsiri vanhu ava, ndizvo zvinotaura Jehovha.
23:33b.JER.023.033 Zvino kana vanhu ava, kana muporofita kana mupirisiti, vakakubvunza, vachiti, Chirevo chaJehovha ndechipiko? Ipapo uti kwavari, Chirevo chei! Ini ndichakurasai, ndizvo zvinotaura Jehovha.
23:34b.JER.023.034 Kana ari muporofita, kana mupirisiti, kana vanhu, kana vachiti, Chirevo chaJehovha; ndicharova munhu uyo neimba yake.
23:35b.JER.023.035 Ndizvo zvamunofanira kuti, mumwe nomumwe kunowokwake, nomumwe nomumwe kuhama yake, Jehovha wakapindurei? Jehovha wakataurei?
23:36b.JER.023.036 Musazoti chirevo chaJehovha; nokuti shoko romunhu mumwe nomumwe ndicho chirevo chake; nokuti makakanganisa mashoko aMwari mupenyu, aJehovha wehondo, Mwari wedu.
23:37b.JER.023.037 Uti kumuporofita, Jehovha wakakupindurei? Jehovha wakataurei?
23:38b.JER.023.038 Asi kana mukati, Chirevo chaJehovha; zvanzi naJehovha, Zvamunoreva shoko iri, muchiti, chirevo chaJehovha, ini zvandakatuma shoko kwamuri ndichiti, Musati, chirevo chaJehovha;
23:39b.JER.023.039 naizvozvo tarirai, ndichakukanganwai chose, ndichakurashai kure neni, imi, neguta randakakupai imi namadzibaba enyu;
23:40b.JER.023.040 ndichauyisa pamusoro penyu kushoorwa kusingaperi, nokunyadziswa kusingaperi, zvisingazokanganikwi.
24
24:1b.JER.024.001 Zvino Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakati atapa Jekonia mwanakomana waJehoiakimu, mambo waJudha, namachinda aJudha, pamwechete navavezi navapfuri, paJerusaremu, akavaisa Bhabhironi, Jehovha akandiratidza, ndikaona tswanda mbiri dzina maonde dzakanga dzakaiswa pamberi petemberi yaJehovha.
24:2b.JER.024.002 Imwe tswanda yakanga ina maonde akanaka kwazvo, samaonde anotanga kuibva; asi imwe tswanda yakanga inamaonde akaipa kwazvo, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo.
24:3b.JER.024.003 Ipapo Jehovha akati kwandiri, Unowoneiko Jeremiya? Ini ndikati, Maonde; maonde akanaka, akanaka kwazvo, asi akaipa kwazvo, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo.
24:4b.JER.024.004 Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,
24:5b.JER.024.005 Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, Sezvakaita maonde awa akanaka, ndizvo zvandicharangarira nomoyo wakanaka vatapwa vaJudha, vandakatuma vabve panyika ino vaende kunyika yavaKaradhea.
24:6b.JER.024.006 Nokuti ndichavatarira nameso angu nomoyo wakanaka, ndivadzoserezve kunyika ino; ndichavavaka, handingavakoromori; ndichavasima, handingavadzuri.
24:7b.JER.024.007 Ndichavapa moyo wokundiziva, kuti ndini Jehovha; ivo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo; nokuti vachadzokera kwandiri nomoyo wavo wose.
24:8b.JER.024.008 Uye, sezvakaita maonde akaipa, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo, zvirokwazvo ndizvo zvinotaura Jehovha ndizvo zvandichaita Zedhekia mambo waJudha, namachinda ake, navakasara veJerusaremu, vakasara panyika ino, navagere panyika yeljipiti.
24:9b.JER.024.009 Ndichavaita chinhu chinotyisa pakati poushe hwose hwenyika, vaitirwe zvakaipa, vave chinhu chinoshoorwa, neshumo, nechinosekwa nechinotukwa panzvimbo dzose kwandichavadzingira.
24:10b.JER.024.010 Ndichatuma pakati pavo munondo, nenzara, nehosha, kusvikira vapera munyika yandakavapa ivo namadzibaba avo.
25
25:1b.JER.025.001 Shoko, rakauya kuna Jeremiya pamusoro pavanhu vose vaJudha, negore rechina raJehoiakimu, mwanakomana waJosia, mambo waJudha; ndiro gore rokutanga raNebhukadhirezari mambo weBhabhironi,
25:2b.JER.025.002 iro rakataurwa nomuporofita Jeremiya kuvanhu vose vaJudha, navose vagere Jerusaremu, achiti,
25:3b.JER.025.003 Kubva pagore regumi namatatu raJosia mwanakomana waAmoni, mambo wavaJudha, kusvikira pazuva rino, makore awa ana makumi maviri namatatu, shoko raJehovha raiuya kwandiri, ndikakutaurirai, ndichimuka mangwanani, ndichitaura; asi imi hamuna kuteerera.
25:4b.JER.025.004 Jehovha wakatuma kwamuri varanda vake vose vaporofita, achimuka mangwanani, achivatuma, asi imi hamuna kuteerera, kana kurerekera nzeve dzenyu kuti munzwe,
25:5b.JER.025.005 vachiti, Dzokai zvino mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, napazvakaipa zvamunoita, mugare munyika yamakapiwa naJehovha, imi namadzibaba enyu, kubva kare nakare kusvikira pakusingaperi,
25:6b.JER.025.006 regai kutevera vamwe vamwari kuti muvashumire, nokuvanamata, murege kunditsamwisa namabasa amaoko enyu; ini ndigorega kukuitirai zvakaipa.
25:7b.JER.025.007 Asi hamuna kunditeerera, ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti munditsamwise namabasa amaoko enyu, muitirwe zvakaipa.
25:8b.JER.025.008 Naizvozvo, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, zvamusina kunzwa mashoko angu,
25:9b.JER.025.009 tarirai, ndichatuma shoko kumarudzi ose ari kurutivi rwokumusoro, ndivauyise, nokuna Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, muranda wangu, ndivauyise varwe nenyika ino, navageremo, namarudzi awa ose akaipoteredza;ndichavaparadza chose, nokuvaita chishamiso nechinoridzirwa muridzo, namatongo nokusingaperi.
25:10b.JER.025.010 Ndichabvisawo kwavari inzwi rokuseka nenzwi rokufara, nenzwi rechikomba, nenzwi romwenga, nenzwi ramakuyo, nechiedza chomwenje.
25:11b.JER.025.011 Nyika ino yose richava dongo, nechishamiso, marudzi awa achabatira mambo weBhabhironi makore ana makumi manomwe.
25:12b.JER.025.012 Zvino kana makore ana makumi manomwe apera ndizvo zvinotaura Jehovha ndicharova mambo weBhabhironi, norudzi urwo pamusoro pezvakaipa zvavo, nenyika yavaKaradhea; ndichaiita matongo nokusingaperi.
25:13b.JER.025.013 Ndichauyisa pamusoro penyika iyo mashoko angu ose andakataura pamusoro payo, zvose zvakanyorwa mubhuku iyi, zvakaporofitwa naJeremiya pamusoro pamarudzi ose.
25:14b.JER.025.014 Nokuti marudzi mazhinji namadzimambo makuru vachavasunga ivo vamene vave varanda vavo; ini ndichavaripira zvakaenzana nokubata kwavo, nezvakaenzana nebasa ramaoko avo.
25:15b.JER.025.015 Nokuti Jehovha Mwari waIsiraeri, wakati kwandiri, Tora mukombe uyu wewaini yokutsamwa kwangu paruoko rwangu, unwisepo marudzi ose andinokutumira kwaari.
25:16b.JER.025.016 Vachanwa, nokudzedzereka, nokupenga, nokuda kwomunondo wandichatuma pakati pavo.
25:17b.JER.025.017 Ipapo ndakatora mukombe paruoko rwaJehovha, ndikanwisa marudzi ose, andakatumirwa kwaari naJehovha;
25:18b.JER.025.018 vaiti Jerusaremu, namaguta aJudha, namadzimambo awo, namachinda awo, kuti vaitwe dongo, nechishamiso, nechinoridzirwa muridzo, nechinotukwa, sezvazvakaita nhasi.
25:19b.JER.025.019 NaFarao mambo navaranda vake, namachinda ake, navanhu vake vose;
25:20b.JER.025.020 namarudzi ose akavhengana, namadzimambo ose enyika yeUzi, namadzimambo ose enyika yavaFirisitia, neAshikeroni, neGaza, neEkironi, navakasara veAshidhodhi;
25:21b.JER.025.021 naEdhomu, naMoabhu, navana vaAmoni;
25:22b.JER.025.022 namadzimambo ose eTire, namadzimambo ose eSidhoni, namadzimambo echiwi chiri mhiri kwegungwa;
25:23b.JER.025.023 neDhedhani, neTema, neBhuzi, navose vakaveurwa vhudzi ravo kumativi;
25:24b.JER.025.024 namadzimambo ose eArabhia, namadzimambo ose amarudzi akavhengana vanogara kurenje;
25:25b.JER.025.025 namadzimambo ose eZimiri, namadzimambo ose eEramu, namadzimambo ose avaMedhia;
25:26b.JER.025.026 namadzimambo ose okumusoro, kure napedo, mumwe nomumwe, noushe hwose hwenyika, huri pasi pose; mambo weSheshaki uchanwa shure kwazvo.
25:27b.JER.025.027 Zvino iwe uti kwavari, Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Inwai, mubatwe, murutse, muwe, murege kuzosimukazve, nokuda kwomunondo wandichatuma pakati penyu.
25:28b.JER.025.028 Zvino kana vachiramba kutora pamukombe paruoko rwako kuti vanwe, ipapo uti kwavari, Zvanzi naJehovha wehondo, munofanira kunwa, zvirokwazvo!
25:29b.JER.025.029 Nokuti tarirai ndinotanga kuitira zvakaipa guta rakatumidzwa nezita rangu; zvino imi mungaregwa chose musingarohwi here? Hamungaregwi musingarohwi; nokuti ndichadana munondo pamusoro pavose vagere panyika, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
25:30b.JER.025.030 Naizvozvo iwe uvaporofitire mashoko awa ose, uti kwavari, Jehovha uchaomba ari kumusoro, uchabudisa inzwi rake ari pahugaro hwake hutsvene; uchaombera mafuro ake; uchapururudzira vose vagere panyika, sezvinoita vanotsika mazambiringa.
25:31b.JER.025.031 Mubvumo uchasvika pamugumo wenyika pamene; nokuti Jehovha une gakava namarudzi; uchatonga nyama yose; kana vari vakaipa, uchavaisa kumunondo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
25:32b.JER.025.032 Zvanzi naJehovha wehondo, Tarirai, zvakaipa zvichabuda kuno rumwe rudzi zvichienda kuno rumwe rudzi, nedutu guru remhepo richamutswa kumigumo yenyika.
25:33b.JER.025.033 Nezuva iro vakaurawa naJehovha vachavapo kubva kunomumwe mugumo wenyika kusvikira kunomumwe mugumo wenyika; havangachemwi, kana kuunganidzwa, kana kuvigwa; vachava mupfudze pasi pose.
25:34b.JER.025.034 Wungudzai, imi vafudzi, mucheme; wumburukai mumadota, imi vakuru vamapoka; nokuti mazuva okuurawa kwenyu asvika kwazvo, nookuparadzirwa kwenyu, muchawira pasi somudziyo unodikanwa.
25:35b.JER.025.035 Vafudzi vachashaiwa matizire, navakuru vamapoka mupukunyukire.
25:36b.JER.025.036 Inzwai inzwi rokuchema kwavafudzi, nokuwungudza kwavakuru vamapoka! Nokuti Jehovha unoparadza mafuro avo.
25:37b.JER.025.037 Mafuro orugare anoparadzwa nokutsamwa kukuru kwaJehovha.
25:38b.JER.025.038 Wakabva paanovanda seshumba; nokuti nyika yavo yava chishamiso, nokuda kwokunyanya kwomunondo unomanikidza, uye nokuda kwokutsamwa kwake kukuru.
26
26:1b.JER.026.001 Zvino pakuvamba kwokubata ushe hwaJehoiakimu mwanakomana waJosia, mambo waJudha, shoko iri rakabva kuna Jehovha, richiti,
26:2b.JER.026.002 Zvanzi naJehovha, Mira paruvazhe rweimba yaJehovha, uudze maguta ose aJudha, anouya kuzonamata mumba maJehovha, mashoko ose andinokuraira kuti uvaudze; usatapudza kunyange neshoko rimwe.
26:3b.JER.026.003 Zvimwe vangateerera, vakadzoka mumwe nomumwe panzira yake yakaipa; kuti ndizvidembe pamusoro pezvakaipa zvandinofunga kuvaitira nokuda kwezvakaipa zvavo zvavanoita.
26:4b.JER.026.004 Uti kwavari, Zvanzi naJehovha, Kana musingadi kundinzwa, kuti mufambe nomurayiro wangu, wandakaisa pamberi penyu,
26:5b.JER.026.005 kuti munzwe mashoko avaranda vangu vaporofita, vandinotuma kwamuri, ndichimuka mangwanani ndichivatuma, asi hamuna kunzwa;
26:6b.JER.026.006 zvino ndichaita imba ino ive seShiro, neguta rino ndichariita chinhu chinotukwa namarudzi ose enyika.
26:7b.JER.026.007 Vapirisiti navaporofita navanhu vose vakanzwa Jeremiya achitaura mashoko awa mumba maJehovha.
26:8b.JER.026.008 Zvino Jeremiya wakati apedza kutaura zvose zvaakanga arairwa naJehovha kuti audze vanhu vose, vapirisiti navaporofita navanhu vose vakamubata, vachiti, Zvirokwazvo, uchafa iwe.
26:9b.JER.026.009 Wakaporofitirei nezita raJehovha, uchiti, Imba ino ichava seShiro, guta rino richava dongo, risina unogaramo? Vanhu vose vakaunganira Jeremiya mumba maJehovha.
26:10b.JER.026.010 Zvino machinda aJudha akati anzwa zvinhu izvi, vakauya vachibva kuimba yamambo vakaenda kuimba yaJehovha, vakagara pasi panopindwa pasuo idzva reimba yaJehovha.
26:11b.JER.026.011 Ipapo vapirisiti navaporofita vakataura namachinda uye navanhu vose, vachiti, Munhu uyu wakafanira rufu, nokuti wakaporofitira guta rino zvakaipa, sezvamakanzwa nenzeve dzenyu.
26:12b.JER.026.012 Ipapo Jeremiya wakataura namachinda ose uye navanhu vose, achiti, Jehovha ndiye wakandituma kuti ndiporofitire imba ino neguta rino mashoko ose amakanzwa.
26:13b.JER.026.013 Naizvozvo zvino natsai nzira dzenyu nezvamunoita, muteerere inzwi raJehovha Mwari wenyu; ipapo Jehovha uchazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakareva pamusoro penyu.
26:14b.JER.026.014 Asi kana ndirini, tarirai, ndiri mumaoko enyu; ndiitirei zvakanaka nezvakarurama pakuona kwenyu.
26:15b.JER.026.015 Asi muzive zvirokwazvo, kuti kana mukandiuraya ini, muchauyisa mhosva yeropa risina mhaka pamusoro penyu, napamusoro peguta rino, napamusoro pavageremo; nokuti zvirokwazvo Jehovha wakandituma kwamuri kuti nditaure mashoko awa ose munzeve dzenyu.
26:16b.JER.026.016 Ipapo machinda navanhu vose vakati kuvapirisiti navaporofita, Munhu uyu haafaniri rufu, nokuti wakataura nesu nezita raJehovha Mwari wedu.
26:17b.JER.026.017 Zvino vamwe vavakuru venyika vakasimuka, vakataura neungano yose yavanhu, vachiti,
26:18b.JER.026.018 Mikaya muMorashitiri wakaporofita pamazuva aHezekia mambo waJudha; akataura navanhu vose vaJudha, achiti, Zvanzi naJehovha wehondo, Ziyoni richarimwa somunda, neJerusaremu richava mirwi yamabwe, negomo reimba richaita senzvimbo dzakakwirira dzedondo.
26:19b.JER.026.019 Ko Hezekia mambo waJudha, navaJudha vose vakamuuraya here? Ko haana kutya Jehovha, akanyengetera Jehovha, Jehovha akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakanga areva pamusoro pavo here? Saizvozvo tingatadzira mweya yedu kwazvo.
26:20b.JER.026.020 Uyezve, kwakanga kuno munhu waiporofita nezita raJehovha, wainzi Uriya, mwanakomana waShemaia weKiriati-jearimi; iye wakaporofita zvakaipa pamusoro peguta rino nenyika ino zvakafanana namashoko ose aJeremiya.
26:21b.JER.026.021 Zvino mambo Jehoiakimu, navakuru vake vose, namachinda ose, vakati vanzwa mashoko ake, mambo akatsvaka kumuuraya; asi Uriya wakati achizvinzwa akatya, akatizira Ijipiti.
26:22b.JER.026.022 Mambo Jehoiakini akatuma vanhu Ijipiti, vaiti Erinatani mwanakomana waAkibhori, navamwe vanhu naye, vaende Ijipiti,
26:23b.JER.026.023 akandotora Uriya Ijipiti, vakauya naye kuna mambo Jehoiakimu, iye ndokumuuraya nomunondo, akakandira chitunha chake mumarinda avanhu vasingakudzwi.
26:24b.JER.026.024 Asi ruoko rwaAhikami mwanakomana waShafani rwakabatsira Jeremiya, vakasamuisa mumaoko avanhu kuti vamuuraye.
27
27:1b.JER.027.001 Pakuvamba kwokubata ushe kwaJehoiakimu mwanakomwana waJosia, mambo waJudha, shoko iri rakasvika kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti,
27:2b.JER.027.002 Zvanzi naJehovha kwandiri, Zviitire zvisungo namatanda uzviise pamutsipa wako;
27:3b.JER.027.003 uzvitumire kuna mambo waEdhomu, nokuna mambo waMoabhu, nokuna mambo wavana vaAmoni, nokuna mambo weTire, nokuna mambo weSidhoni, noruoko rwenhume dzinouya Jerusaremu kuna Zedhekia mambo waJudha,
27:4b.JER.027.004 utume shoko navo kuna tenzi wavo, uti, Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, mundoti kuna tenzi wenyu,
27:5b.JER.027.005 Ini ndakaita nyika, navanhu nezvipfuwo zviri pasi pose, nesimba rangu guru uye noruoko rwangu rwakatambanudzwa, zvino ndinozvipa wandinoti ndiye wakafanirwa nazvo.
27:6b.JER.027.006 Zvino ini ndakaisa nyika idzi dzose muruoko rwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, muranda wangu; nemhuka dzose dzebundo ndakamupawo kuti dzimushumire.
27:7b.JER.027.007 Marudzi ose achamushumira, iye nomwanakomana wake, kusvikira nguva yenyika yake yasvikawo; ipapo marudzi mazhinji namadzimambo makuru achamuita muranda wavo.
27:8b.JER.027.008 Zvino rudzi rupi norupi noushe hwupi nohwupi vanoramba kushumira iye Nebukadhinezari mambo waBhabhironi, vanoramba kuisa mutsipa wavo pasi pejoko ramambo weBhabhironi, rudzi urwo ndicharurova nomunondo uye nenzara, nehosha yakaipa, kusvikira ndavapedza noruoko rwake ndizvo zvinotaura Jehovha.
27:9b.JER.027.009 Asi kana murimi, regai kuteerera vaporofita venyu, kana vauki venyu, kana kurota kwenyu, kana vafemberi venyu, kana varoyi venyu, vanotaura nemi, vachiti, Hamungashumiri mambo weBhabhironi;
27:10b.JER.027.010 nokuti vanokuporofitirai nhema, kuti muiswe kure nenyika yenyu, kuti ini ndikudzingirei kunze, muparare.
27:11b.JER.027.011 Asi rudzi, ruchaisa mutsipa warwo pasi pejoko ramambo weBhabhironi, nokumushumira, rudzi urwo ndicharutendera kugara munyika yarwo, vachairima, nokugaramo ndizvo zvinotaura Jehovha.
27:12b.JER.027.012 Zvino ndikataura naZedhekia mambo waJudha mashoko awa ose, ndichiti, Isai mitsipa yenyu pasi pejoko ramambo weBhabhironi, mumushumire iye navanhu vake, murarame.
27:13b.JER.027.013 Muchafireiko, imi navanhu venyu, nomunondo, uye nenzara, nehosha yakaipa, sezvakataura Jehovha pamusoro porudzi runoramba kushumira mambo weBhabhironi?
27:14b.JER.027.014 Regai kuteerera mashoko avaporofita vanotaura kwamuri vachiti, Hamungashumiri mambo weBhabhironi; nokuti vanokuporofitirai nhema.
27:15b.JER.027.015 Nokuti ini handina kuvatuma ndizvo zvinotaura Jehovha asi vanoporofita nhema nezita rangu; kuti ndikudzingirei kunze, mupere, imi navaporofita vanokuporofitirai.
27:16b.JER.027.016 Ndakataurawo navapirisiti, uye navanhu ava vose, ndikati, Zvanzi naJehovha, Regai kuteerera mashoko avaporofita venyu vanokuporofitirai, vachiti, Tarirai, midziyo yeimba yaJehovha yodokudzoswa ichibva Bhabhironi; nokuti vanokuporofitirai nhema.
27:17b.JER.027.017 Regai kuvateerera; shumirai mambo weBhabhironi, murarame; guta rino richaitwa dongo neiko?
27:18b.JER.027.018 Asi kana vari vaporofita, kana shoko raJehovha rinavo, ngavanyengetere Jehovha wehondo zvino, kuti midziyo yakasara mumba maJehovha nomumba mamambo waJudha, napaJerusaremu, irege kuenda Bhabhironi.
27:19b.JER.027.019 Nokuti zvanzi naJehovha wehondo pamusoro pembiru, napamusoro pegungwa, napamusoro pezvigadziko, napamusoro pemidziyo yakasara muguta rino;
27:20b.JER.027.020 zvisina kutorwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, panguva yaakatapa Jekonia, mwanakomana waJehoiakimu, mambo wavaJudha, paJerusaremu, akamuisa Bhabhironi, pamwechete navakuru vose vavaJudha naveJerusaremu;
27:21b.JER.027.021 nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, pamusoro pemidziyo yakasara mumba maJehovha, nomumba mamambo waJudha, napaJerusaremu,
27:22b.JER.027.022 Ichandoiswa Bhabhironi, ikagarako, kusvikira zuva randichavashanyira ndizvo zvinotaura Jehovha; ipapo ndichavauyisazve, ndikavadzosera kunzvimbo ino.
28
28:1b.JER.028.001 Zvino pagore irero, pakuvamba kwokubata ushe kwaZedhekia mambo waJudha, pagore rechina, nomwedzi wechishanu, Hanania mwanakomana waAzuri muporofita, waiva weGibhiyoni, akataura neni mumba maJehovha, vapirisiti navanhu vose varipo, akati,
28:2b.JER.028.002 Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Ndavhuna joko ramambo weBhabhironi.
28:3b.JER.028.003 Makore maviri asati apera kwazvo, ndichadzoserazve kunzvimbo ino midziyo yose yeimba yaJehovha, yakatorwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi panzvimbo ino, akaiisa Bhabhironi;
28:4b.JER.028.004 ndichadzoserazve kunzvimbo ino Jekonia mwanakomana waJehoiakimu mambo waJudha, pamwechete navatapwa vose vaJudha, vakaenda Bhabhironi ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndichavhuna joko ramambo weBhabhironi.
28:5b.JER.028.005 Ipapo muporofita Jeremiya akati kumuporofita Hanania, vapirisiti navanhu vose varipo vamire mumba maJehovha,
28:6b.JER.028.006 iye muporofita Jeremiya akati, Ameni, Jehovha ngaaite zvakadaro; Jehovha ngaasimbise mashoko ako awakaporofita, adzoserezve midziyo yeimba yaJehovha, navose vakatapwa, vabve Bhabhironi vauye kunzvimbo ino.
28:7b.JER.028.007 Asi zvino chinzwa shoko iri randinotaura munzeve dzako, nomunzeve dzavanhu vose.
28:8b.JER.028.008 Vaporofita, vakanditangira ini newe, vakaporofitira nyika zhinji, noushe hukuru, vachireva zvokurwa, nenzara, nehosha yakaipa.
28:9b.JER.028.009 Muporofita, unoporofita zvorugare, kana shoko romuporofita uyo rikaitika, muporofita uyo uchazvikanwa kuti wakatumwa naJehovha zvirokwazvo.
28:10b.JER.028.010 Ipapo muporofita Hanania wakabvisa joko pamutsipa womuporofita Jeremiya, akarivhuna.
28:11b.JER.028.011 Zvino Hanania akataura pamberi pavanhu vose, achiti, Zvanzi naJehovha, Saizvozvo ndichavhuna joko raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi pamitsipa yamarudzi ose makore maviri asati apera kwazvo. Muporofita Jeremiya ndokuenda zvake.
28:12b.JER.028.012 Ipapo shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya, muporofita Hanania apedza kuvhuna joko pamutsipa womuporofita Jeremiya, zvichinzi,
28:13b.JER.028.013 Enda undoudza Hanania, uti, Zvanzi naJehovha, wavhuna majoko amatanda, asi waita panzvimbo yazvo majoko esimbi.
28:14b.JER.028.014 Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Ndakaisa joko resimbi pamitsipa yamarudzi awa ose, kuti ashumire Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi; achamushumira, uye ndakamupawo mhuka dzebundo.
28:15b.JER.028.015 Ipapo muporofita Jeremiya wakati kumuporofita Hanania, Chinzwa zvino, Hanania, Jehovha haana kukutuma, asi iwe unotendisa vanhu ava nhema.
28:16b.JER.028.016 Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarira, ndichakudzinga pasi pose; uchafa nhaka, nokuti wakataura zvinomukira Jehovha.
28:17b.JER.028.017 Naizvozvo muporofita Hanania wakafa negore iro nomwedzi wechinomwe.
29
29:1b.JER.029.001 Zvino awa ndiwo mashoko orugwaro rwakatumwa nomuporofita Jeremiya ari paJerusaremu kuvakuru vakanga vasara kuna vakatapwa, nokuvapirisiti nokuvaporofita, nokuvanhu vose, vakanga vakatapwa paJerusaremu naNebhukadhinezari, vakaiswa Bhabhironi,
29:2b.JER.029.002 Shure kwokubva paJerusaremu kwamambo Jekonia, namai vake, navaranda, namachinda aJudha neeJerusaremu, navavezi, navapfuri,
29:3b.JER.029.003 noruoko rwaErasa, mwanakomana waShafani, naGemaria, mwanakomana waHirikia, vakanga vatumwa Bhabhironi naZedhekia mambo waJudha kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, achiti,
29:4b.JER.029.004 Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, kuna vose vakatapwa, vandakatapisa Jerusaremu vaiswe Bhabhironi.
29:5b.JER.029.005 Zvivakirei dzimba, mugaremo; simai minda, mudye zvibereko zvayo;
29:6b.JER.029.006 wanai vakadzi, mubereke vanakomana navanasikana; wanisai vanakomana venyu vakadzi, navanasikana venyu muvaise kuvarume, kuti vabereke vanakomana navanasikana, muwandeko, murege kutapudzwa.
29:7b.JER.029.007 Mutsvake rugare rweguta kwandakakutapisai, murinyengeterere kuna Jehovha; nokuti norugare rwaro imi muchava norugarewo.
29:8b.JER.029.008 Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Vaporofita venyu, vari pakati penyu, navauki venyu, ngavarege kukunyengerai; regai kuteerera kurota kwenyu kwamunoroteswa.
29:9b.JER.029.009 Nokuti vanokuporofitirai nhema nezita rangu, ini handina kuvatuma, ndizvo zvinotaura Jehovha.
29:10b.JER.029.010 Nokuti zvanzi naJehovha, Kana makore makumi manomwe aperera Bhabhironi, ndichakushanyirai, nokukusimbisirai shoko rangu rakanaka, ndichikudzoserai kunzvimbo ino.
29:11b.JER.029.011 Nokuti ndinoziva ndangariro dzandinorangarira pamusoro penyu, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndangariro dzorugare, dzisati dziri dzezvakaipa, kuti ndikupei mugumo une tariro.
29:12b.JER.029.012 Muchadana kwandiri, muchandonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai.
29:13b.JER.029.013 Muchanditsvaka, mukandiwana, kana muchinditsvaka nomoyo wenyu wose.
29:14b.JER.029.014 Ndichawanikwa nemi, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichakudzosai pakutapwa kwenyu, nokukuunganidzai kumarudzi ose, nokunzvimbo dzose kwandakanga ndakudzingirai, ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichakudzoseraizve kunzvimbo kwandakanga ndakutapisai.
29:15b.JER.029.015 Zvamakati, Jehovha wakatimutsira vaporofita paBhabhironi;
29:16b.JER.029.016 zvanzi naJehovha pamusoro pamambo ugere pachigaro choushe chaDhavhidhi, napamusoro pavanhu vose vagere muguta rino, idzo hama dzenyu dzisina kuenda nemi pakutapwa kwenyu;
29:17b.JER.029.017 zvanzi naJehovha wehondo, Tarirai, ndichatuma pamusoro pavo munondo, nenzara, nehosha yakaipa, ndichavaita samaonde akaipa kwazvo, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo.
29:18b.JER.029.018 Ndichateverera nomunondo, nenzara, nehosha yakaipa; ndichavaita chinhu chinotyisa ushe hwose hwenyika, vave chinhu chinotukwa, nechishamiso, nechinoridzirwa muridzo, nechinoshoorwa pakati pamarudzi ose kwandakavadzingira;
29:19b.JER.029.019 zvavasina kuteerera mashoko angu, ndizvo zvinotaura Jehovha, andakatuma kwavari navaranda vangu vaporofita, ndichimuka mangwanani ndichivatuma; asi makaramba kuteerera, ndizvo zvinotaura Jehovha.
29:20b.JER.029.020 Naizvozvo chinzwai shoko raJehovha, imi mose makatapwa, vandakadzinga paJerusaremu ndikavaisa Bhabhironi.
29:21b.JER.029.021 Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, pamusoro paAhabhi mwanakomana waKoraia, napamusoro paZedhekia mwanakomana waMaaseia, vanokuporofitirai nhema nezita rangu, Tarirai, ndinovaisa muruoko rwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi; iye uchavauraya pamberi penyu;
29:22b.JER.029.022 vatapwa vose vaJudha, vari Bhabhironi, vachatora kwavari shoko rokutuka naro, vachiti, Jehovha akuite saZedhekia uye saAhabhi, vakagochwa pamoto namambo weBhabhironi.
29:23b.JER.029.023 Nokuti vakaita nohupenzi pakati paIsiraeri, vakaita hupombwe navakadzi vovokwavo, vakareva mashoko enhema nezita rangu, andisina kuvaraira; ini ndini ndinoziva, ndini chapupu, ndizvo zvinotaura Jehovha.
29:24b.JER.029.024 Zvino kuna Shemaia muNeheramite, unofanira kutaura uchiti,
29:25b.JER.029.025 Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Zvawakatuma magwaro nezita rako kuvanhu vose vari paJerusaremu, nokuna Zefaniya mwanakomana womupirisiti Maaseia, nokuvapirisiti vose, uchiti,
29:26b.JER.029.026 Jehovha wakakuita mupirisiti panzvimbo yomupirisiti Jehoiadha, kuti mumba maJehovha muve navatariri, kuti asunge mumatanda namaketani mumwe nomumwe unopenga, achizviita muporofita.
29:27b.JER.029.027 Ko zvino wakaregerei kutuka Jeremiya weAnatoti, unozviita muporofita pamberi penyu,
29:28b.JER.029.028 zvaakatuma shoko kwatiri paBhabhironi, achiti, Nguva irefu, vakai dzimba mugaremo; simai minda, mudye zvibereko zvayo?
29:29b.JER.029.029 Zvino mupirisiti Zefaniya akaravira muporofita Jeremiya rugwaro urwu.
29:30b.JER.029.030 Ipapo shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya, richiti,
29:31b.JER.029.031 Tumira vakatapwa vose shoko rinoti, Zvanzi naJehovha pamusoro paShemaia muNeheramiti, Shemaia zvaakakuporofitirai, ini ndisina kumutuma, akakutendisai nhema,
29:32b.JER.029.032 naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarirai, ndicharova Shemaia muNeheramiti, navana vake; haangavi nomunhu ungagara pakati pavanhu ava, uye haangaoni zvakanaka zvandichaitira vanhu vangu ndizvo zvinotaura Jehovha nokuti wakataura zvinomukira Jehovha.
30
30:1b.JER.030.001 Shoko, rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti,
30:2b.JER.030.002 Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, Nyora mashoko ose andakakuudza mu bhuku.
30:3b.JER.030.003 Nokuti, tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, andichadzosa vanhu vangu vaIsiraeri naJudha pakutapwa kwavo ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichavadzosera kunyika yandakapa madzibaba avo, ive yavo.
30:4b.JER.030.004 Awa ndiwo mashoko akataura Jehovha pamusoro paIsiraeri napamusoro paJudha.
30:5b.JER.030.005 Nokuti zvanzi naJehovha, Takanzwa inzwi rinodederesa, rinotyisa, risati riri rorugare.
30:6b.JER.030.006 Bvunzai zvino muwone kana murume ungagona kusurumuka; ndinowonereiko murume mumwe nomumwe akaisa maoko ake pachiuno chake somukadzi unosurumuka, nezviso zvose zvakacheneruka?
30:7b.JER.030.007 Maiwe! Nokuti zuva iro iguru, hakuna rakafanana naro; inguva yokutambudzika kwaJakobho; asi uchasunungurwa pazviri.
30:8b.JER.030.008 Zvino nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichavhuna joko rake pamutsipa wako, ndichadambura zvisungo zvako; vatorwa havangazomuiti muranda wavo;
30:9b.JER.030.009 asi vachashumira Jehovha Mwari wavo, naDhavhidhi mambo wavo, wandichavamutsira.
30:10b.JER.030.010 Naizvozvo usatya hako, iwe Jakobho muranda wangu, ndizvo zvinotaura Jehovha; usavhunduka hako, iwe Isiraeri; nokuti tarira, ndichakuponesa uri kure, navana vako kunyika kwavakatapirwa; Jakobho uchadzoka, uchagara akagadzikana anorugare, hakuna ungamutyisa.
30:11b.JER.030.011 Nokuti ndinewe, kuti ndikuponese, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndichagumisa chose marudzi ose kwandakakuparadzira, asi iwe handingakugumisi chose; asi ndichakuranga nokururama, handingatongokuregi usina kurohwa.
30:12b.JER.030.012 Nokuti zvanzi naJehovha, Kukuvadzwa kwako hakubviri kuporeswa, vanga rako rakaipa kwazvo.
30:13b.JER.030.013 Hakuna unoreverera mhaka yako, kuti urapwe; hauna mishonga inoporesa.
30:14b.JER.030.014 Vose vaikuda vakukanganwa, havakuvingi, nokuti ndakakukuvadza nevanga romuvengi, uye nokurova kwoune hasha, nokuda kwohukuru hwezvakaipa zvako, nokuti zvivi zvako zvakanga zvawanda.
30:15b.JER.030.015 Unochemeiko pamusoro pokukuvadzwa kwako? Kurwadziwa kwako hakubviri kuporeswa. Ndakakuitira zvinhu izvi, nokuda kwohukuru hwezvakaipa zvako, nokuti zvivi zvako zvakanga zvawanda.
30:16b.JER.030.016 Naizvozvo vose vanokudya vachadyiwawo; vadzivisi vako vose, mumwe nomumwe wavo, vachatapwa; vanokupamba vachapambwa, vose vanokuparadza, ndichavaisa kukuparadzwa.
30:17b.JER.030.017 Nokuti ndichakudzosera mufaro pamuviri, ndichakuporesa mavanga ako, ndizvo zvinotaura Jehovha, zvavakakutumidza zita rinonzi Murashwa, vachiti, NdiZiyoni zvaro, hakuna munhu une hanya naro.
30:18b.JER.030.018 Zvanzi naJehovha, Ndichadzosazve kutapwa kwamatende aJakobho, nokunzwira hugaro hwake tsitsi; guta richavakwa pamusoro pegomo raro, imba yamambo ichagarwa sezvakafanira.
30:19b.JER.030.019 Kuwonga nenzwi ravanofara richabudapo; ndichavawanza, havangavi vashoma, ndichavakudza varege kuva vaduku.
30:20b.JER.030.020 Vana vavo vachava sakare, neungano yavo ichamiswa pamberi pangu, ndicharova vose vanovamanikidza.
30:21b.JER.030.021 Muchinda wavo uchava mumwe wavo, mubati wavo uchabuda pakati pavo; ndichamuswededza, aswedere kwandiri; nokuti ndianiko wakatsunga kuswedera kwandiri? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
30:22b.JER.030.022 Imi muchava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wenyu.
30:23b.JER.030.023 Tarirai, dutu guru remhepo yaJehovha, idzo hasha dzake, rabuda, riri dutu guru rine simba; richaputsikira pamisoro yavakaipa.
30:24b.JER.030.024 Kutsamwa kukuru kwaJehovha hakungadzoki, kusvikira apedza, kusvikira aita zvose zvaakafunga mumoyo make; muchazvinzwisisa pamazuva okupedzisira.
31
31:1b.JER.031.001 Nenguva iyo, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichava Mwari wamarudzi ose aIsiraeri, naivo vachava vanhu vangu.
31:2b.JER.031.002 Vanhu vakapukunyuka pamunondo, ivo vaIsiraeri, vakawana nyasha murenje, panguva yandakandovazorodza.
31:3b.JER.031.003 Jehovha wakazviratidza kwandiri ari kure, akati, Zvirokwazvo, ndakabuda norudo rusingaperi, naizvozvo ndakakukweva nohunyoro.
31:4b.JER.031.004 Ndichakuvakazve, ipapo uchava wakavakwa, iwe mhandara yaIsiraeri; uchashongedzazve ngoma dzako, uchabuda kundotamba navanofara.
31:5b.JER.031.005 Uchasimazve minda yemizambiringa pamakomo eSamaria; vasimi vachasima nokudya zvibereko zvayo.
31:6b.JER.031.006 Nokuti zuva richasvika, naro nharirire dzichadana pamakomo aEfuremu, dzichiti, Simukai imi, tikwire Ziyoni kuna Jehovha Mwari wedu.
31:7b.JER.031.007 Nokuti zvanzi naJehovha, Imbirai Jakobho nomufaro, pururudzirai mukuru wamarudzi; paridzirai, rumbidzai muti, Jehovha, ponesai vanhu venyu, ivo vakasara vaIsiraeri
31:8b.JER.031.008 Tarirai ndichavavuyisa vachibva kunyika yokumusoro, ndichavaunganidza kumigumo yenyika, pamwechete namapofu, navanokamhina, navakadzi vava nomuviri pamwechete navanosurumuka; vachadzokera kuno riri boka guru.
31:9b.JER.031.009 Vachauya vachichema, ndichavaperekedza vachinyengetera; ndichivafambisa panzizi dzemvura zhinji, nenzira yakarurama, pavasingazogumburwi; nokuti ndiri baba kuna Isiraeri, Efuremu idangwe rangu.
31:10b.JER.031.010 Inzwai shoko raJehovha, imi marudzi, muriparidzire pazviwi zviri kure, muti, Wakaparadzira Isiraeri, ndiye uchavaunganidza, nokuvachengeta, sezvinoita mufudzi boka rake.
31:11b.JER.031.011 Nokuti Jehovha wakadzikunura Jakobho, akamurwira muruoko rwounopfuura nesimba.
31:12b.JER.031.012 Vachauya vachiimba panzvimbo yakakwirira yeZiyoni, vachayerera semvura kune zvakanaka zvaJehovha, kuzviyo, nokuwaini itsva, nokumafuta, nokuzvibereko zvamakwai nemombe; mweya wavo uchava somunda wakadiridzwa, havangatongovi nokusuwazve.
31:13b.JER.031.013 Ipapo mhandara ichafara nokutamba, namajaya navatana pamwechete; nokuti ndichashandura kuchema kwavo uve mufaro, ndichavanyaradza, nokuvafadza pakusuwa kwavo.
31:14b.JER.031.014 Ndichagutisa mweya yavapirisiti namafuta, uye vanhu vangu vachaguta nezvakanaka zvangu ndizvo zvinotaura Jehovha.
31:15b.JER.031.015 Zvanzi naJehovha, Inzwi rinonzwika muRama, rokuwungudza nokuchema kukuru, Rakeri unochema vana vake; unoramba kunyaradzwa pamusoro pavana vake, nokuti havachipo.
31:16b.JER.031.016 Zvanzi naJehovha, Dzora inzwi rako pakuchema, nameso ako pamisodzi, nokuti basa rako richaripirwa mubayiro, ndizvo zvinotaura Jehovha; vachadzokazve vachibva kunyika yavavengi vavo.
31:17b.JER.031.017 Mugumo wako une tariro, ndizvo zvinotaura Jehovha; vana vako vachadzokerazve kumiganho yavo.
31:18b.JER.031.018 Zvirokwazvo ndakanzwa Efuremu achizvichema, achiti, Imi makandirova, ndikarohwa semhuru isina kupingudzwa; ndidzoserei imi, ipapo ndichadzoka, nokuti imi muri Jehovha Mwari wangu.
31:19b.JER.031.019 Zvirokwazvo, ndakati ndadzoka, ndikatendeuka, ndakati ndarairirwa, ndikazvirova pahudyu; ndakanyadziswa, zvirokwazvo, ndakanyara, nokuti ndakatakura kushoorwa kwohuduku hwangu.
31:20b.JER.031.020 Ko Efuremu ndiye mwanakomana wangu unodikanwa here? Ndiye mwana unondifadza here? Nokuti nguva dzose kana ndichimutuka, ndinoramba ndichimurangarira kwazvo; naizvozvo moyo wangu unomuchemera; zvirokwazvo, ndichamunzwira nyasha, ndizvo zvinotaura Jehovha.
31:21b.JER.031.021 Zvimisirei shongwe dzenzira, zviitirei zvino; rerekerai moyo yenyu kunzira huru, iyo nzira yamakafamba nayo; dzokazve, mhandara yaIsiraeri, dzokerazve kumaguta ako awa.
31:22b.JER.031.022 Ucharamba uchifambiramo kusvikira rinhiko, iwe mukunda wokudzokera shure? Nokuti Jehovha wakasika chinhu chitsva panyika, chokuti mukadzi uchambundikira murume.
31:23b.JER.031.023 Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Vachataurazve shoko iri munyika yaJudha nomumaguta ayo, kana ndichidzosazve kutapwa kwavo, vachiti, Jehovha ngaakuropafadze, iwe hugaro hwokururama, iwe gomo rohutsvene.
31:24b.JER.031.024 Judha namaguta avo ose vachagaramo pamwechete, varimi navanofamba namapoka avo.
31:25b.JER.031.025 Nokuti ndakagutsa mweya wakaneta, nomweya mumwe nomumwe, unokusuwa, ndakausimbisa.
31:26b.JER.031.026 Ipapo ndakamuka, ndikaona; hope dzangu dzingandizipira.
31:27b.JER.031.027 Zvanzi naJehovha, Tarirai, mazuva anouya, andichadzvara paimba yaIsiraeri napaimba yaJudha mbeu dzavanhu nembeu dzezvipfuwo.
31:28b.JER.031.028 Zvino sezvandakavarindira, ndichidzura nokukoromora nokuwisira pasi nokuparadza nokutambudza, saizvozvo ndichavarindira ndivake nokusima ndizvo zvinotaura Jehovha.
31:29b.JER.031.029 Namazuva awo havangazoti, Madzibaba akadya mazambiringa anovava; meno avana ndokurwadzira.
31:30b.JER.031.030 Asi mumwe nomumwe uchafira zvakaipa zvake; mumwe nomumwe, unodya mazambiringa anovava, meno ake acharwadzira.
31:31b.JER.031.031 Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, andichaita sungano itsva neimba yaIsiraeri, neimba yaJudha.
31:32b.JER.031.032 Haingafanani nesungano yandakaita namadzibaba avo namazuva andakavabata ruoko ndikavabudisa munyika yeIjipiti, vakaputsa sungano yangu iyo, kunyange ndakanga ndiri murume kwavari ndizvo zvinotaura Jehovha.
31:33b.JER.031.033 Asi heyi sungano yandichaita neimba yalsiraeri shure kwamazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Jehovha, Ndichaisa murayiro wangu mukati mavo, ndichaunyora pamoyo yavo; ini ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu.
31:34b.JER.031.034 Havangazodzidzisani, mumwe nomumwe nowokwake, mumwe nomumwe nehama yake, achiti, Ziva Jehovha; nokuti vachandiziva vose, kubva kuvaduku pakati pavo, kusvikira kuvakuru pakati pavo, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndichakanganwira kuipa kwavo, nezvivi zvavo handingazozvirangariri.
31:35b.JER.031.035 Zvanzi naJehovha, iye unopa zuva rive chiedza masikati, nemirairo yomwedzi neyenyeredzi zvive chiedza vusiku, iye unomutsa gungwa, kuti mafungu aro atinhire, Jehovha wehondo ndiro zita rake.
31:36b.JER.031.036 Kana mirairo iyi ikabva pamberi pangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, ipapo vana vaIsiraeriwo vangagumawo kuva rudzi pamberi pangu nokusingaperi.
31:37b.JER.031.037 Zvanzi naJehovha, Kana denga kumusoro richibvira kuyerwa, nenheyo dzenyika pasi dzichibvira kunzverwa, ipapo neniwo ndicharasha vana vose vaIsiraeri nokuda kwezvose zvavakaita, ndizvo zvinotaura Jehovha.
31:38b.JER.031.038 Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, achavakirwa Jehovha guta kubva pashongwe yaHananeri kusvikira kusuo rekona.
31:39b.JER.031.039 Uye rwonzi rwokuyera narwo ruchapfuura ruchiruramira kuchikomo cheGarebhi, ndokudzoka kusvikira paGoa.
31:40b.JER.031.040 Mupata wose wezvitunha nowamadota, neminda yose kusvikira kurukova Kidhironi, kusvikira kukona resuo ramabhiza kurutivi rwamabvazuva, zvichava zvitsvene kuna Jehovha; hazvingazodzurwi, kana kuparadzwa nokusingaperi.
32
32:1b.JER.032.001 Shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha negore regumi raZedhekia mambo waJudha, riri gore regumi namasere raNebhukadhirezari.
32:2b.JER.032.002 Zvino nenguva iyo mambo wehondo yeBhabhironi wakanga akakomberedza Jerusaremu; asi muporofita Jeremiya wakanga akapfigirwa muruvazhe rwavarindi, rwakanga ruri mumba mamambo waJudha.
32:3b.JER.032.003 Nokuti Zedhekia mambo waJudha wakanga amupfigira, achiti, Unoporofitireiko uchiti, Zvanzi naJehovha, tarirai, ndichaisa guta rino muruoko rwamambo weBhabhironi, iye ucharikunda;
32:4b.JER.032.004 Zedhekia mambo waJudha haangapukunyuki pamaoko avaKaradhea, asi uchaiswa zvirokwazvo muruoko rwamambo weBhabhironi, vachataurirana nemiromo yavo, nokuonana nameso avo;
32:5b.JER.032.005 iye uchandoisa Zedhekia Bhabhironi, agareko kusvikira ndichimushanyira, ndizvo zvinotaura Jehovha; kunyange mukarwa navaKaradhea hamungakundi?
32:6b.JER.032.006 Jeremiya akati, Shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,
32:7b.JER.032.007 Tarira, Hanameri mwanakomana waSharumi, sekuru vako, uchauya kwauri, achiti, Zvitengere munda wangu uri paAnatoti, nokuti ndiwe une simba rokuudzikunura nokuutenga.
32:8b.JER.032.008 Naizvozvo Hanameri mwanakomana wasekuru vangu wakauya kwandiri muruvazhe rwavarindi, sezvakarehwa neshoko raJehovha, akati kwandiri, Donditengera hako munda wangu uri paAnatoti, riri munyika yaBhenjamini, nokuti ndiwe unesimba rokugara nhaka, ndiwe unofanira kudzikunura; chizvitengera iwo. Ipapo ndakaziva kuti ishoko raJehovha.
32:9b.JER.032.009 Ndikatenga munda wakanga uri paAnatoti kuna Hanameri mwanakomana wasekuru vangu, ndikamuyerera mari, mashekeri esirivha ane gumi namanomwe.
32:10b.JER.032.010 Ndikanyora rugwaro rwokutenga, ndikarunamatidza, ndikadana zvapupu, ndikamuyerera mari pachiyero.
32:11b.JER.032.011 Ipapo ndikatora rugwaro rwokutenga, irwo rwakanga rwakanamatidzwa, sezvakarehwa nomurayiro netsika, norumwe rwakanga rwakashama,
32:12b.JER.032.012 ndikapa Bharuki mwanakomana waNeria, mwanakomana waMaseia, rugwaro rwokutenga, Hanameri mwanakomana wasekuru vangu aripo, nezvapupu zvakanga zvasimbisa rugwaro rwokutenga zviripo, navaJudha vose vakanga vagere muruvazhe rwavarindi varipo.
32:13b.JER.032.013 Ndikaraira Bharuki pamberi pavo, ndichiti,
32:14b.JER.032.014 Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Tora magwaro awa okutenga, rugwaro urwu rwokutenga rwakanamatidzwa, norugwaro urwu rwakashama, uzviise mumudziyo wevhu, zvigaremo mazuva mazhinji.
32:15b.JER.032.015 Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Dzimba neminda yemizambiringa zvichazotengwazve munyika ino.
32:16b.JER.032.016 Zvino ndakati ndapa Bharuki mwanakomana waNeria rugwaro rwokutenga, ndikanyengetera kuna Jehovha ndichiti,
32:17b.JER.032.017 Haiwa,Ishe Jehovha tarirai imi makaita denga rose napasi nesimba renyu guru noruoko rwenyu rwakatambanudzwa, hakuna chinhu chingakukonai imi;
32:18b.JER.032.018 imi, munonzwira tsitsi vane zviuru zvamazana, nokutsiva zvakaipa zvamadzibaba muchipfuva chavana vavo vanovatevera, iye mukuru, Mwari unesimba, Jehovha wehondo, ndiro zita rake;
32:19b.JER.032.019 wakakura panjere, unesimba pakubata, meso ake anosvinurira nzira dzose dzavana vavanhu, kuti ape mumwe nomumwe sezvaakabata, nezvakafanira zvibereko zvamabasa ake;
32:20b.JER.032.020 iye, wakaisa zviratidzo nezvishamiso panyika yeIjipiti kusvikira pazuva ranhasi, pakati paIsiraeri napakati pavamwe vanhu; mukazviitira mbiri sezvazvakaita nezuva ranhasi;
32:21b.JER.032.021 mukabudisa vanhu venyu vaIsiraeri panyika yeIjipiti, nezviratidzo nezvishamiso nechanza chine simba, noruoko rwakatambanudzwa, uye nokutyisa kukuru;
32:22b.JER.032.022 mukavapa nyika ino, yamakapikira madzibaba avo kuti muchavapa, iri nyika inoyerera mukaka nohuchi;
32:23b.JER.032.023 vakapinda, vakaiita yavo; asi havana kuteerera inzwi renyu, kana kufamba nemirairo yenyu; havana kutongoita chinhu chimwe chezvose zvamakavaraira kuti vazviite; naizvozvo makauyisa izvi zvose pamusoro pavo.
32:24b.JER.032.024 Tarirai, mirwi yokurwa yasvika paguta kuti varikunde; guta raiswa mumaoko avaKaradhea vanorwa naro, nokuda kwomunondo nenzara nehosha yakaipa, zvamakataura zvaitika, tarirai, munozviona.
32:25b.JER.032.025 Zvino imi Ishe Jehovha, makati kwandiri, Chizvitengera munda nemari, udane zvapupu, kunyange zvakadaro guta raiswa mumaoko avaKaradhea. Valsiraeri vachatapwa, asi vachadzoswazve
32:26b.JER.032.026 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti,
32:27b.JER.032.027 Tarira, ndini Jehovha, Mwari wenyama yose, kunechinhu chingandikona here?
32:28b.JER.032.028 Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarira ndichaisa guta rino mumaoko avaKaradhea, nomumaoko aNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, iye ucharikunda
32:29b.JER.032.029 VaKaradhea, vanorwa neguta rino, vachauya vachitungidza guta rino, vachiripisira, pamwechete nedzimba dzavakabayira pamatenga adzo zvinonhuwira kuna Bhaari, nokudururira vamwe vamwari zvipiriso zvinodururwa, kuti vanditsamwise.
32:30b.JER.032.030 Nokuti vana vaIsiraeri navana vaJudha vaingoita zvakaipa zvoga pamberi pangu kubva pahuduku hwavo; nokuti vana vaIsiraeri vakangonditsamwisa bedzi namabasa amaoko avo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
32:31b.JER.032.031 Nokuti guta rino rakamutsa kutsamwa kwangu nehasha dzangu kubva pazuva ravakarivaka kusvikira zuva ranhasi, kuti ndiribvise pamberi pangu,
32:32b.JER.032.032 nokuda kwezvakaipa zvose zvavana vaIsiraeri navana vaJudha, zvavakaita vachinditsamwisa, ivo namadzimambo avo, namachinda avo, navapirisiti vavo, navaporofita vavo, navanhu vaJudha, navagere Jerusaremu.
32:33b.JER.032.033 Vakandifuratira, havana kunditarira nezviso zvavo; kunyange ndaivadzidzisa, ndichimuka mangwanani ndichivadzidzisa, asi havana kuteerera nokutenda kurangwa.
32:34b.JER.032.034 Asi vakaisa zvinonyangadza zvavo muimba yakatumidzwa zita rangu, kuti vaisvibise.
32:35b.JER.032.035 Vakavaka mitunhu yaBhaari, iri mumupata womwanakomana waHinomi, kuti vapinzire Moreki vanakomana vavo navanasikana vavo mumoto, chinhu chandisina kuvaraira, kana chandisina kufunga mumoyo mangu, kuti vaite chinhu ichi chinonyangadza, vachitadzisa Judha.
32:36b.JER.032.036 Naizvozvo zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri pamusoro peguta rino, ramunoti rakaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi nomunondo, nenzara uye nehosha yakaipa,
32:37b.JER.032.037 Tarirai, ndichavaunganidza kunyika dzose kwandakanga ndavadzingira nokutsamwa kwangu nehasha dzangu, uye neshungu dzangu huru, ndichavadzoserazve kunzvimbo ino, nokuvagarisa vakachengetwa.
32:38b.JER.032.038 Ivo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo.
32:39b.JER.032.039 Ndichavapa moyo mumwe nenzira imwe, kuti vanditye nokusingaperi, vaitirwe zvakanaka ivo, navana vavo vanovatevera.
32:40b.JER.032.040 Ndichaita navo sungano isingaperi, handingadzoki pakuvatevera kuti ndivaitire zvakanaka; ndichaisa kutya mumoyo yavo kuti vanditye, kuti varege kuzotsauka kwandiri.
32:41b.JER.032.041 Zvirokwazvo, ndichavafarira kuti ndivaitire zvakanaka, ndichavasima zvirokwazvo munyika ino nomoyo wangu wose uye nomweya wangu wose.
32:42b.JER.032.042 Nokuti zvanzi naJehovha, Sezvandakauyisa zvakaipa izvi zvikuru zvose pamusoro pavanhu ava, saizvozvowo ndichauyisa pamusoro pavo zvakanaka zvose zvandakavapikira.
32:43b.JER.032.043 Minda ichatengwa munyika ino yamunoti idongo, haina vanhu kana zvipfuwo, yaiswa mumaoko avaKaradhea.
32:44b.JER.032.044 Vanhu vachatenga minda nemari, nokunyora magwaro okutenga, nokuanamatidza, nokudana zvapupu, panyika yaBhenjamini, napanzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, nomumaguta aJudha, nomumaguta enyika yamakomo, nomumaguta amapani, nomumaguta orutivi rwezasi; nokuti ndichadzosa kutapwa kwavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
33
33:1b.JER.033.001 Zvino shoko raJehovha rakasvikazve rwechipiri kuna Jeremiya, achakapfigirwa muruvazhe rwavarindi, richiti,
33:2b.JER.033.002 Zvanzi naJehovha, iye unozviita, iye Jehovha unozviumba nokuzvisimbisa, Jehovha ndiro zita rake,
33:3b.JER.033.003 Danai kwandiri, ndichakupindurai, ndichakuratidzai zvinhu zvikuru zvakavanzika, zvamusingazivi.
33:4b.JER.033.004 Nokuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri pamusoro pedzimba dzeguta rino, napamusoro pedzimba dzamadzimambo aJudha, dzakakoromorwa kuzorwa nemirwi yokurwa neminondo,
33:5b.JER.033.005 Vanouya havo kuzorwa navaKaradhea, asi vanodzizadza nezvitunha zvavanhu vandakauraya nokutsamwa kwangu nehasha dzangu, ndikavanzira guta rino chiso changu nokuda kwokuipa kwavo kwose.
33:6b.JER.033.006 Tarirai, ndichavavigira mufaro pamuviri nokupora, ini ndichavaporesa; ndichavaratidza rugare rwakawanda nezvokwadi yakawanda.
33:7b.JER.033.007 Ndichadzosa kutapwa kwaJudha nokutapwa kwalsiraeri, ndichavavaka sapakutanga.
33:8b.JER.033.008 Ndichavanatsa pazvakaipa zvavo zvose zvavakanditadzira nazvo, ndichakanganwira zvakaipa zvavo zvose zvavakanditadzira nazvo, nezvavakandidarikira nazvo.
33:9b.JER.033.009 Guta rino richava kwandiri mbiri yomufaro, nokurumbidzwa nokukudzwa, pamberi pamarudzi ose enyika, achanzwa zvakanaka zvose zvandichavaitira; vachatya nokudedera pamusoro pezvakanaka zvose norugare rwose zvandicharivigira.
33:10b.JER.033.010 Zvanzi naJehovha, Panzvimbo yamunoti yakaparadzwa, haina vanhu kana zvipfuwo, imo mumaguta aJudha, nomunzira dzomuJerusaremu, mangova nedongo, musina vanhu vageremo, kana zvipfuwo, pachanzwikwazve
33:11b.JER.033.011 inzwi romufaro nokufarisisa, inzwi rechikomba nenzwi romwenga, nenzwi ravanoti, Vongai Jehovha wehondo, nokuti Jehovha wakanaka, nokuti ngoni dzake dziripo nokusingaperi; uye neravanouya nezvipiriso zvokuvonga mumba maJehovha. Nokuti ndichadzosa kutapwa kwenyika zvive sapakutanga ndizvo zvinotaura Jehovha.
33:12b.JER.033.012 Zvanzi naJehovha wehondo, Panzvimbo ino yakaparadzwa, isina vanhu kana zvipfuwo, napamaguta aripo, pachavazve namafuro avafudzi, vanovatisa makwai avo pasi.
33:13b.JER.033.013 Mumaguta enyika yamakomo, mumaguta amapani, mumaguta orutivi rwezasi, napanyika yaBhenjamini, napanzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, nomumaguta aJudha, makwai achapfuurazve pasi poruoko rwounoaverenga, ndizvo zvinotaura Jehovha.
33:14b.JER.033.014 Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, andichaita shoko iro rakanaka randakataura pamusoro peimba yaIsiraeri napamusoro peimba yaJudha.
33:15b.JER.033.015 Namazuva iwayo, nenguva iyo, ndichamedzera Dhavhidhi davi rokururama; iye ucharuramisira vanhu nokuita zvakarurama panyika.
33:16b.JER.033.016 Namazuva iwayo Judha vachaponeswa, Jerusaremu richagara rakachengetwa; zita rarichatumidzwa ndireri, Jehovha ndiye kururama kwedu.
33:17b.JER.033.017 Nokuti zvanzi naJehovha, Dhavhidhi haangatongoshaiwi munhu unogara pachigaro choushe cheimba yaIsiraeri;
33:18b.JER.033.018 navapirisiti vaRevhi havangashaiwi munhu pamberi pangu ungapisa zvipiriso zvinopiswa nokupisa zvipiriso zvoupfu, nokugara achibayira.
33:19b.JER.033.019 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti,
33:20b.JER.033.020 Zvanzi naJehovha, Kana mungagona kuputsa sungano yangu yamasikati nesungano yangu yousiku, kukarega kuva namasikati novusiku nenguva yazvo;
33:21b.JER.033.021 ipapo sungano yangu naDhavhidhi muranda wangu ingaputswawo, akasava nomwanakomana ungabata ushe pachigaro chake choushe; saizvozvowo navaRevhi, vapirisiti, vashumiri vangu.
33:22b.JER.033.022 Hondo yokudenga sezvaisingabviri kuverenga, kana jecha regungwa kuyerwa, saizvozvo ndichawanza vana vaDhavhidhi muranda wangu, navaRevhi vanondishumira.
33:23b.JER.033.023 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti,
33:24b.JER.033.024 Haurangariri zvakataurwa navanhu ava, zvavakati, Marudzi maviri akatsaurwa naJehovha, akarashwa naye? Saizvozvo vanozvidza vanhu vangu, vachiti havachiri rudzi pamberi pavo.
33:25b.JER.033.025 Zvanzi naJehovha, Kana sungano yangu yamasikati novusiku isipo, kana ndisina kutemera denga napasi mirairo;
33:26b.JER.033.026 ipapo ndicharashawo vana vaJakobho, navaDhavhidhi muranda wangu, kuti ndirege kutora vamwe vavana vake vave vabati vavana vaAbhurahamu nalsaka naJakobho; nokuti ndichadzosa kutapwa kwavo nokuvanzwira nyasha.
34
34:1b.JER.034.001 Shoko, rakasvika kuna Jeremiya, richibva kuna Jehovha, panguva iyo Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, nehondo yake yose, noushe hwose hwenyika hwakanga hwakabatwa naye, namarudzi ose, vachirwa neJerusaremu namaguta ose aro, richiti,
34:2b.JER.034.002 Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, Enda, undotaura naZedhekia mambo waJudha; uti kwaari, Zvanzi naJehovha, tarira, ndichaisa guta rino muruoko rwamambo weBhabhironi, iye ucharipisa nomoto;
34:3b.JER.034.003 newe haungapukunyuki paruoko rwake, asi zvirokwazvo uchabatwa, nokuiswa muruoko rwake; meso ako achaona meso amambo weBhabhironi, muchataurirana nemiromo yenyu, iwe uchaenda Bhabhironi.
34:4b.JER.034.004 Asi chinzwa shoko raJehovha, iwe Zedhekia mambo waJudha, zvanzi naJehovha pamusoro pako, iwe haungaurawi nomunondo;
34:5b.JER.034.005 iwe uchafa norugare; sezvavakapisira madzimababa ako, iwo madzimambo akare akakutangira, saizvozvo vachakupisirawo; vachakuchema vachiti, Haiwa ishe! Nokuti ndini ndakataura shoko iro, ndizvo zvinotaura Jehovha.
34:6b.JER.034.006 Ipapo muporofita Jeremiya akataura mashoko aya ose kuna Zedhekia mambo waJudha paJerusaremu,
34:7b.JER.034.007 nenguva yakarwa hondo yamambo weBhabhironi neJerusaremu uye namaguta ose aJudha akanga asara, neRakishi neAzeka, nokuti ndiyo yakanga yasara pamaguta aJudha, ari maguta akakombwa norusvingo. Vakaita hama dzavo varanda vacharohwa naJehovha
34:8b.JER.034.008 Shoko, rakasvika kuna Jeremiya, richibva kuna Jehovha, mambo Zedhekia aita sungano navanhu vose vakanga vari Jerusaremu, achivaparidzira kuti vakasunungurwa,
34:9b.JER.034.009 kuti mumwe nomumwe unofanira kutendera muranda wake, nomumwe nomumwe mushandiri wake, waiva muHebheru, murume kana mukadzi, kuti aende hake; kuti kurege kuva nomuJudha unoita hama yake muranda.
34:10b.JER.034.010 Machinda ose navanhu vose vakateerera, ivo vakanga vatenda sungano, kuti mumwe nomumwe atendere muranda wake nomumwe nomumwe mushandiri wake kuti vaende havo, kuti kurege kuzova nomunhu unovaita varanda; vakateerera, vakavatendera kuenda.
34:11b.JER.034.011 Asi pashure vakashanduka, vakadzosa varanda navashandiri, vavakanga vambotendera kuenda, vakavamanikidzazve kuti vave varanda navashandiri.
34:12b.JER.034.012 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya richibha kuna Jehovha, richiti,
34:13b.JER.034.013 Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, Ndakaita sungano namadzibaba enyu, panguva yandakavabudisa munyika yeIjipiti, muimba youranda, ndichiti,
34:14b.JER.034.014 Kana makore manomwe apera, munofanira mumwe nomumwe kutendera hama yake muHebheru kuti aende hake, iye wakanga akatengeswa kwauri, akakubatira makore matanhatu, unofanira kumutendera kuti aende hake, abve kwauri; asi madzibaba enyu haana kunditeerera, kana kurerekera nzeve dzavo.
34:15b.JER.034.015 Zvino imi makanga madzoka henyu, mukaita zvakarurama pamberi pangu, zvamakaparidzira mumwe nomumwe hama yake kuti ungasunungurwa; makanga maita sungano pamberi pangu muimba panodanwa zita rangu.
34:16b.JER.034.016 Asi makadzoka, mukamhura zita rangu, mukadzosa mumwe nomumwe muranda wake nomumwe nomumwe mushandiri wake, vamakanga matendera kuti vaende havo nokuda kwavo, mukavamanikidzazve kuti vave varanda navashandiri venyu.
34:17b.JER.034.017 Naizvozvo zvanzi naJehovha, Hamuna kunditeerera, mukaparidzira mumwe nomumwe hama yake nomumwe nomumwe wokwake kuti ungasunungurwa hake; tarirai, ini ndinokuparidzirai kuti muchasunungurirwa munondo, nehosha yakaipa, nenzara, ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichakuitai chinhu chinotyisa ushe hwose hwenyika.
34:18b.JER.034.018 Varume vakadarika sungano yangu, vakasaita mashoko esungano yavakaita neni, ndichavaita semhuru yavakagura napakati vakapfuura napakati penhindi dzayo;
34:19b.JER.034.019 machinda aJudha, namachinda eJerusaremu, navaranda vavo, navapirisiti, navanhu vose venyika, vakapfuura napakati penhindi dzemhuru,
34:20b.JER.034.020 ivo ndichavaisa mumaoko avavengi vavo, nomumaoko avanotsvaka kuvauraya, zvitunha zvavo zvichava zvokudya zveshiri dzokudenga nezvezvikara zvenyika.
34:21b.JER.034.021 Naiye Zedhekia mambo waJudha namachinda ake ndichavaisa mumaoko avavengi vavo nomumaoko ehondo yamambo weBhabhironi, vakaenda vachibva kwamuri.
34:22b.JER.034.022 Tarirai, ndichavaraira nokuvadzosera kuguta rino, ndizvo zvinotaura Jehovha; vacharwa naro, nokurikunda, nokuripisa nomoto; ndichaita maguta aJudha matongo, asina vanogaramo.
35
35:1b.JER.035.001 Shoko, rakasvika kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha namazuva aJehoiakimu, mwanakomana waJosia, mambo waJudha, richiti,
35:2b.JER.035.002 Enda kuimba yavaRekabhi, utaure navo, uuye navo mumba maJehovha, mune imwe kamuri, uvape waini vanwe.
35:3b.JER.035.003 Ipapo ndakatora Jaazania mwanakomana waJeremiya, mwanakomana waHabhazania, nehama dzake, navanakomana vake vose, neimba yose yavaRekabhi.
35:4b.JER.035.004 Ndikavaisa mumba maJehovha, mukamuri yavanakomana vaHanani mwanakomana waIghidhari, munhu waMwari, yaiva pedo nekamuri yamachinda, yakanga iri pamusoro pekamuri yamachinda, yakanga iri pamusoro pekamuri yaMaaseia mwanakomana waSharumi, mutariri wechikumbaridzo.
35:5b.JER.035.005 Ndikagadza pamberi pavanakomana veimba yavaRekabhi mbiya dzizere newaini nemikombe, ndikati kwavari, Inwai waini.
35:6b.JER.035.006 Asi ivo vakati Hatinganwi waini, nokuti Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi, baba vedu, vakatiraira vachiti, Regai kunwa waini, imi, navanakomana venyu nokusingaperi;
35:7b.JER.035.007 uye musavaka dzimba, kana kudzvara mbeu, kana kurima minda yemizambiringa, kana kuva nazvo; asi munofanira kugara mumatende mazuva enyu ose, kuti mugare mazuva mazhinji munyika mamunogara muri vatorwa.
35:8b.JER.035.008 Zvino takateerera inzwi raJonadhabhi mwanakomana waRekabhi, baba vedu, pazvose zvavakaraira, vachiti tirege kunwa waini mazuva edu ose, isu, navakadzi vedu;
35:9b.JER.035.009 kana kuzvivakira dzimba matingagara; uye hatina minda yemizambiringa, kana mimwe minda, kana mbeu;
35:10b.JER.035.010 asi takagara mumatende, tikateerera, tikaita zvose sezvatakarairwa naJonadhabhi baba vedu.
35:11b.JER.035.011 Asi Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakati achisvika munyika ino, tikati, Hendei, tiende Jerusaremu nokuti tinotya hondo yavaKaradhea, uye tinotya hondo yavaSiria; naizvozvo tigere Jerusaremu.
35:12b.JER.035.012 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti,
35:13b.JER.035.013 Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Enda undoudza varume vaJudha, navagere Jerusaremu, uti, Hamutendi kurangwa, kuti muteerere mashoko angu here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
35:14b.JER.035.014 Mashoko aJonadhabhi mwanakomana waRekabhi, aakaraira vanakomana vake, kuti varege kunwa waini, anoteererwa; kusvikira zuva ranhasi havanwi, nokuti vanoteerera murayiro wababa wavo. Asi ini ndakataura nemi, ndichimuka mangwanani ndichitaura; asi hamuna kunditeerera.
35:15b.JER.035.015 Ndakatumawo kwamuri varanda vangu vose vavaporofita, ndichimuka mangwanani, ndichivatuma, ndichiti, Dzokai zvino mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, munatse zvamunoita, murege kutevera vamwe vamwari muchivashumira, ipapo muchagara panyika yandakakupai imi namadzibaba enyu; asi hamuna kurerekera nzeve dzenyu, kana kunditeerera.
35:16b.JER.035.016 Vanakomana vaJonadhabhi mwanakomana waRekabhi vakateerera murayiro wababa wavo, waakavaraira, asi vanhu ava havana kunditeerera;
35:17b.JER.035.017 naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri; Tarirai, ndichauyisa pamusoro paJudha napamusoro pavose vazere Jerusaremu zvakaipa zvose zvandakareva pamusoro pavo; nokuti ndakataura navo, asi havana kunzwa, ndakavadana, asi havana kudavira.
35:18b.JER.035.018 Zvino Jeremiya akati kuimba yavaRekabhi, Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, zvamakateerera murayiro waJonadhabhi baba venyu, mukachengeta zvirevo zvavo zvose, mukaita zvose sezvamakarairwa navo;
35:19b.JER.035.019 naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, iye Mwari waIsiraeri, Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi haangashaiwi munhu ungamira pamberi pangu nokusingaperi.
36
36:1b.JER.036.001 Zvino negore rechina raJehoiakimu mwanakomana waJosia, mambo waJudha, shoko iri rakasvika kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti,
36:2b.JER.036.002 Tora rugwaro rwakapetwa unyoremo mashoko ose andakakuudza pamusoro paIsiraeri, napamusoro paJudha, napamusoro pamarudzi ose, kubva pazuva randakataura newe, kubva pamazuva aJosia kusvikira zuva ranhasi.
36:3b.JER.036.003 Zvimwe imba yaJudha vachanzwa zvakaipa zvose zvandinofunga kuvaitira, kuti vadzoke mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, ndivakanganwire kuipa kwavo nezvivi zvavo.
36:4b.JER.036.004 Ipapo Jeremiya wakadana Bharuki mwanakomana waNeria, Bharuki akanyora parugwaro rwakapetwa mashoko ose aJehovha akabva mumuromo waJeremiya, aakataura kwaari.
36:5b.JER.036.005 Jeremiya akaraira Bharuki, achiti, Ini ndakadziviswa, handigoni kupinda mumba maJehovha.
36:6b.JER.036.006 Naizvozvo chienda iwe, undorava murugwaro rwakapetwa, mawanyora zvakabva pamuromo wangu, mashoko aJehovha zvinzwikwe nenzeve dzavanhu mumba maJehovha pazuva rokuzvinyima zvokudya; uye uaravewo anzwikwe nenzeve dzavaJudha vose vanobuda mumaguta avo.
36:7b.JER.036.007 Zvimwe kunyengetera kwavo kuchasvika pamberi paJehovha, vakadzoka mumwe nomumwe panzira yake yakaipa; nokuti kutsamwa nehasha zvakarehwa naJehovha pamusoro pavanhu ava zvakakura kwazvo.
36:8b.JER.036.008 Bharuki mwanakomana waNeria akaita zvose sezvaakarairwa nomuporofita Jeremiya akarava mubhuku mashoko aJehovha mumba maJehovha.
36:9b.JER.036.009 Zvino negore rechishanu raJehoiakimu mwanakomana waJosia, mambo waJudha, nomwedzi wepfumbamwe, vanhu vose veJerusaremu, navanhu vose vakanga vabva kumaguta aJudha vachiuya Jerusaremu, vakatara zuva rokuzvinyima zvokudya pamberi paJehovha.
36:10b.JER.036.010 Ipapo Bharuki akarava mubhuku mashoko aJeremiya mumba maJehovha, mukamuri yaGemaria mwanakomana womunyori Shafani, muruvazhe rwokumusoro, pavaipinda pasuo idzva reimba yaJehovha, vanhu vose vachizvinzwa nenzeve dzavo.
36:11b.JER.036.011 Zvino Mikaia mwanakomana waGemaria, mwanakomana waShafani, wakati anzwa mashoko ose aJehovha mubhuku,
36:12b.JER.036.012 akaburukira kumba kwamambo, mukamuri yomunyori, wanei, machinda ose agerepo, vaiti, Erishama munyori, naDheraia mwanakomana waShemaia, naErinatani mwanakomana waAkibhori, naGemaria mwanakomana waShafani, naZedhekiya mwanakomana waHanania, namachinda ose.
36:13b.JER.036.013 Ipapo Mikaia akavaparidzira mashoko ose aakanzwa, Bharuki achirava mubhuku vanhu vachizvinzwa nenzeve dzavo.
36:14b.JER.036.014 Naizvozvo machinda ose akatuma Jehudhi mwanakomana waNetania, mwanakomana waSheremiya, mwanakomana waKushi, kuna Bharuki, achiti, Bata muruoko rwako rugwaro rwakapetwa mawakarava zvichanzwika nenzeve dzavanhu, uuye. Ipapo Bharuki mwanakomana waNeria wakabata rugwaro rwakapetwa muruoko rwake, akaenda kwavari.
36:15b.JER.036.015 Vakati kwaari, Zvino chigara pasi, uirave tinzwe nenzeve dzedu. Ipapo Bharuki wakavaravira vakanzwa nenzeve dzavo.
36:16b.JER.036.016 Zvino vakati vanzwa mashoko ose, vakatarirana vachitya, vakati kuna Bharuki, Zvirokwazvo tichaudza mambo mashoko awa ose.
36:17b.JER.036.017 Vakabvunza Bharuki, vachiti, Zvino chitiudza kuti wakanyora mashoko awa ose sei, achibva mumuromo make.
36:18b.JER.036.018 Ipapo Bharuki akavapindura, akati, Wakandiparidzira mashoko awa ose nomuromo wake, ndikaanyora neingi mubhuku.
36:19b.JER.036.019 Ipapo machinda akati kuna Bharuki, Endai mundovanda, iwe naJeremiya, kurege kuva nomunhu unoziva kwamuri.
36:20b.JER.036.020 Ivo ndokupinda kuna mambo muruvazhe, asi vakanga vaviga rugwaro rwakapetwa mukamuri yomunyori Erishama; vakaudza mambo mashoko ose achizvinzwa nenzeve dzake.
36:21b.JER.036.021 Ipapo mambo akatuma Jehudhi kundotora rugwaro rwakapetwa, iye akandorutora mukamuri yomunyori Erishama. Jehudhi akaravira mambo achizvinzwa nenzeve dzake, namachinda ose akanga amire namambo ivo vachinzwa nenzeve dzavo.
36:22b.JER.036.022 Zvino mambo wakanga agere muimba yakavakirwa nguva yechando nomwedzi wepfumbamwe, moto uchipfuta pamberi pake pachaenga.
36:23b.JER.036.023 Zvino Jehudhi wakati apedza kurava zvikamu zvitatu kana zvina, mambo ndokuzvicheka nebanga ndokuzvikandira mumoto wakanga uri muchaenga, kusvikira rugwaro rwakapetwa rwose rwapedzwa nomoto wakanga uri muchaenga.
36:24b.JER.036.024 Asi havana kutya, kana kubvarura nguvo dzavo, kunyange mambo kunyange nomumwe wavaranda vake vakanzwa mashoko awa ose.
36:25b.JER.036.025 Erinatani naDheraia naGemaria vakanga vanyengetera havo mambo kuti arege kupisa rugwaro rwakapetwa, asi haana kuvateerera.
36:26b.JER.036.026 Mambo akaraira Jerameeri mwanakomana waAzirieri, naSheremiya mwanakomana waAbhidheeri, kuti vabate munyori Bharuki nomuporofita Jeremiya; asi Jehovha wakavavanza.
36:27b.JER.036.027 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, mambo apisa rugwaro rwakapetwa, namashoko akanga anyorwa naBharuki achibva mumuromo waJeremiya, richiti,
36:28b.JER.036.028 Chitorazve rumwe rugwaro rwakapetwa unyoremozve mashoko ose okutanga, akanga ari murugwaro rwakapetwa rokutanga, rwakapiswa naJehoiakimu mambo waJudha.
36:29b.JER.036.029 Uye pamusoro paJehoiakimu mambo wavaJudha, uti, Zvanzi naJehovha, wapisa rugwaro urwu rwakapetwa, uchiti, Wanyorereimo uchiti, Zvirokwazvo mambo weBhabhironi uchauya kuparadza nyika ino, nokubvisapo vanhu nezvipfuwo?
36:30b.JER.036.030 Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro paJehoiakimu mambo waJudha, Haangavi nomumwe uchagara pachigaro choushe chaDhavhidhi; chitunha chake chichakandirwa kunze masikati kana kuchipisa, novusiku kana kune chando.
36:31b.JER.036.031 Ndichamurova iye navana vake navaranda vake nokuda kwezvakaipa zvavo; ndichauyisa pamusoro pavo, napamusoro pavagere Jerusaremu, napamusoro pavarume vaJudha, zvakaipa zvose zvandakareva pamusoro pavo, asi havana kuteerera.
36:32b.JER.036.032 Ipapo Jeremiya wakatora rumwe rugwaro rwakapetwa, akarupa munyori Bharuki, mwanakomana waNeria, iye akanyoramo mashoko ose akabva mumuromo waJeremiya, aiva mubhuku yakapiswa nomoto naJehoiakimu mambo waJudha, mamwe mashoko mazhinji akafanana nawo akawedzerwawo.
37
37:1b.JER.037.001 Zvino Zedhekia mwanakomana waJosia wakabata ushe ari mambo panzvimbo yaKonia mwanakomana waJehoiakimu, wakanga apiwa ushe munyika yaJudha naNebhukadhirezari mambo waBhabhironi.
37:2b.JER.037.002 Asi iye, kunyange varanda vake, kana vanhu venyika, havana kuteerera mashoko aJehovha, aakataura nomuporofita Jeremiya.
37:3b.JER.037.003 Zvino mambo Zedhekia wakatuma Jehukari mwanakomana waSheremiya, naZefaniya mwanakomana womupirisiti Maaseia, kumuporofita Jeremiya, achiti, Tinyengeterere hako zvino kuna Jehovha Mwari wedu.
37:4b.JER.037.004 Zvino Jeremiya wakanga achingopinda nokubuda hake pakati pavanhu, nokuti vakanga vachigere kumusunga mutorongo.
37:5b.JER.037.005 Hondo yaFarao yakanga yabvawo Ijipiti; zvino vaKaradhea, vakanga vakakomba Jerusaremu, vakati vachinzwa zvavo, vakarega kukomba Jerusaremu.
37:6b.JER.037.006 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kumuporofita Jeremiya, richiti,
37:7b.JER.037.007 Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, itiyi kuna mambo waJudha wakakutumai kuzondibvunza, Tarirai, hondo yaFarao, yakauya kuzokubatsirai, ichadzokera Ijipiti kunyika yavo.
37:8b.JER.037.008 VaKaradhea vachauyazve vachirwa neguta rino; vacharikunda, nokuripisa nomoto.
37:9b.JER.037.009 Zvanzi naJehovha, Musazvinyengera henyu, muchiti, Zvirokwazvo, vaKaradhea vachabva kwatiri, nokuti havangabvi.
37:10b.JER.037.010 Nokuti kunyange maikunda henyu hondo yose yavaKaradhea, vanorwa nemi, kukangosara kwavari vanhu vakakuvadzwa bedzi, kunyange zvakadaro vaisimuka, mumwe nomumwe mutende rake vakapisa guta rino nomoto.
37:11b.JER.037.011 Zvino hondo yavaKaradhea yakati yarega kukomba Jerusaremu nemhaka yokutya hondo yaFarao,
37:12b.JER.037.012 Jeremiya akabuda Jerusaremu achida kuenda kunyika yavaBhenjamini, kuzopiwa mugove wakepo pakati pavanhu vake.
37:13b.JER.037.013 Zvino wakati ari pasuo raBhenjamini, mumwe mukuru wavarindi akasvikapo, wainzi Irija mwanakomana waSheremiya, mwanakomana waHanania, iye akabata muporofita Jeremiya, achiti, Iwe wotishandukira uchienda kuvaKaradhea.
37:14b.JER.037.014 Jeremiya akati, Inhema, handikushandukiriyi ndichienda kuvaKaradhea. Asi haana kumuteerera; ipapo Irija akabata Jeremiya, akandomuisa kumachinda.
37:15b.JER.037.015 Machinda akaitira Jeremiya hasha, akamurova, ndokumuisa mutorongo mumba momunyori Jonatani; nokuti vakanga vaiita torongo.
37:16b.JER.037.016 Zvino Jeremiya wakati apinda mutorongo yegomba, nomumakamuri ayo, Jeremiya akagaramo mazuva mazhinji,
37:17b.JER.037.017 mambo Zedhekia akatuma nhume kuzomutora, mambo akamubvunza chinyararire mumba make, achiti, Kune shoko rinobva kuna Jehovha here? Jeremiya akati, Ririko. Akatiwo, Imi muchaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi.
37:18b.JER.037.018 Jeremiya akatiwo kuna mambo Zedhekia, Ndakakutadzirai neiko, imi, kana varanda venyu, kana vanhu ava, zvamakandisunga mutorongo?
37:19b.JER.037.019 Ko zvino vaporofita venyu varipi, ivo vaikuporofitirai, vachiti, Mambo weBhabhironi haangauyi kuzorwa nemi, kana kurwa nenyika ino?
37:20b.JER.037.020 Zvino chidonzwai henyu, ishe wangu mambo; kunyengetera kwangu ngakusvike pamberi penyu, kuti murege kundidzosazve kumba kwomunyori Jonatani, ndirege kufirapo.
37:21b.JER.037.021 Ipapo mambo Zedhekia wakatema chirevo, vakaisa Jeremiya kuruvazhe rwavarindi, vakamupa zuva rimwe nerimwe bundu rechingwa, raibva munzira yomuguta yainzi yavabiki vechingwa, kusvikira chingwa chose chapera muguta. Saizvozvo Jeremiya akagara muruvazhe rwavarindi.
38
38:1b.JER.038.001 Zvino Shefatia mwanakomana waMatani, naGedharia mwanakomana waPashuri, naJukari mwanakomana waSheremiya, naPashuri mwanakomana waMarikija, vakanzwa mashoko akataurwa naJeremiya kuvanhu vose, achiti,
38:2b.JER.038.002 Zvanzi naJehovha, Ani naani unorambira muguta rino uchaurawa nomunondo, nenzara, uye nehosha yakaipa, asi unobuda akaenda kuvaKaradhea uchararama, hupenyu hwake huchava kwaari chinhu chakapambwa, uchararama.
38:3b.JER.038.003 Zvanzi naJehovha, Zvirokwazvo guta rino richaiswa mumaoko ehondo yamambo weBhabhironi, iye acharikunda.
38:4b.JER.038.004 Ipapo machinda akati kuna mambo, Tinokumbira kuti munhu uyu aurawe, nokuti unoshaisa simba maoko avarwi vakasara muguta rino, namaoko avanhu vose nokutaura kwake mashoko akadai kwavari; nokuti munhu uyu haatsvaki mufaro wavanhu ava asi kuti vave nenjodzi.
38:5b.JER.038.005 Mambo Zedhekia ndokuti, Tarirai, uri pamaoko enyu, nokuti mambo haangaiti chinhu chamusingadi.
38:6b.JER.038.006 Ipapo vakatora Jeremiya, vakamukandira mugomba raMarikija mwanakomana wamambo, rakanga riri muruvazhe rwavarindi; vakaburusa Jeremiya namabote. Mugomba makanga musina mvura asi matope; Jeremiya akanyura mumatope.
38:7b.JER.038.007 Zvino multiopia Ebhedhimereki, waiva muranda mumba mamambo, wakati anzwa kuti vakaisa Jeremiya mugomba (zvino mambo wakanga agere musuo raBhenjamini).
38:8b.JER.038.008 Ebhedhimereki akabuda mumba mamambo, akataura namambo, achiti,
38:9b.JER.038.009 Ishe wangu mambo, vanhu ava vakaita zvakaipa pazvose zvavakaitira muporofita Jeremiya, wavakakandira mugomba; zvino iye unenge uchafira panzvimbo iyo paari, nemhaka yenzara; nokuti hakuchina chingwa muguta.
38:10b.JER.038.010 Ipapo mambo akaraira muItiopia Ebhedhimereki, akati, Tora pano vanhu vana makumi matatu, unobudisa muporofita Jeremiya mugomba asati afa.
38:11b.JER.038.011 Ipapo Ebhedhimereki akatora vanhu ivavo, akaenda navo mumba mamambo pasi pechivigiro chefuma, akatorapo mamvemve nenguvo dzakasakara, akazviburusira namabote mugomba kuna Jeremiya.
38:12b.JER.038.012 Multiopia Ebhedhimereki akati kuna Jeremiya, Zvino chiisai mamvemve awa nenguvo dzakasakara muhapwa dzenyu munyasi. mamabote. Jeremiya akaita saizvozvo.
38:13b.JER.038.013 Naizvozvo vakakwidza Jeremiya namabote, vakamubudisa mugomba, Jeremiya akagara muruvazhe rwavarindi.
38:14b.JER.038.014 Ipapo mambo Zedhekia akatuma nhume akauyisa muporofita Jeremiya kwaari pamukova wechitatu uri mumba maJehovha; mambo akati kuna Jeremiya, Ndichakubvunza shoko; usandivanzira chinhu.
38:15b.JER.038.015 Ipapo Jeremiya akati kuna Zedhekia, Kana ndikakuzivisai izvozvo, hamungatongondiurayi here? Kana ndikakupai zano, hamunganditeereri.
38:16b.JER.038.016 Naizvozvo mambo Zedhekia wakapikira Jeremiya chinyararire, akati, NaJehovha mupenyu, wakatipa hupenyu uhwu, handingakuurayi, kana kukuisa mumaoko avanhu ava vanotsvaka kukuuraya.
38:17b.JER.038.017 Ipapo Jeremiya akati kuna Zedhekia, Zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri, Kana mukatenda kuenda kumachinda amambo weBhabhironi, mweya wenyu uchararama, neguta rino haringapiswi nomoto; imi muchararama, neimba yenyu.
38:18b.JER.038.018 Asi kana mukaramba kuenda kumachinda amambo mumaoko avaKaradhea, ivo vacharipisa nomoto, nemi hamungapukunyuki pamaoko avo.
38:19b.JER.038.019 Ipapo mambo Zedhekia akati kuna Jeremiya, Ndinotya vaJudha, vakatishandukira vakaenda kuvaKaradhea, zvimwe vangandiisa mumaoko avo, ivo vakandiseka.
38:20b.JER.038.020 Asi Jeremiya wakati, Havangakusiyi kwavari. Chiteererai henyu inzwi raJehovha, sezvandinokuudzai; ipapo muchava nomufaro, nomweya wenyu uchararama.
38:21b.JER.038.021 Asi kana mukaramba kuenda, heri shoko randakaziviswa naJehovha,
38:22b.JER.038.022 Tarirai, vakadzi vose vakasara mumba mamambo waJudha, vachabudisirwa kumachinda amambo weBhabhironi, zvino vakadzi avo vachati, Shamwari dzenyu dzinodikanwa nemi ndidzo dzakakunyengerai, dzikakukundai, zvino tsoka dzenyu zvadzanyura mumatope, vokufuratirai.
38:23b.JER.038.023 Vachabudisira vakadzi venyu vose navana venyu kuvaKaradhea; nemiwo hamungapukunyuki pamaoko avo asi muchabatwa noruoko rwamambo weBhabhironi; imi muchapisisa guta rino nomoto.
38:24b.JER.038.024 Ipapo Zedhekia akati kuna Jeremiya, Ngakurege kuva nomunhu unoziviswa mashoko awa, ipapo iwe haungaurawi.
38:25b.JER.038.025 Asi kana machinda akanzwa kuti ndakataura newe, vakauya kwauri, vachiti, Chitizivisa zvino zvawaudza mambo, usativanzira izvozvo, isu tigosakuuraya; uyewo zvose zvawakaudzwa namambo.
38:26b.JER.038.026 Ipapo uti kwavari, Ndakasvitsa munyengetero wangu kuna mambo, kuti arege kundidzosa kumba kwaJonatani, kuti ndifireko.
38:27b.JER.038.027 Zvino machinda ose akauya kuna Jeremiya, akamubvunza, akavaudza mashoko awa ose sezvakanga zvarairwa namambo. Naizvozvo vakarega kuzotaura naye, nokuti shoko rakanga risina kuzikanwa.
38:28b.JER.038.028 Naizvozvo Jeremiya wakaramba agere muruvazhe rwavarindi kusvikira zuva rakakundwa Jerusaremu.
39
39:1b.JER.039.001 Zvino Jerusaremu rakati rakundwa, negore repfumbamwe raZedhekia mambo waJudha, nomwedzi wegumi, Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi akauya nehondo yake yose kuzorwa neJerusaremu, ndokurikomba.
39:2b.JER.039.002 Zvino negore regumi nerimwe raZedhekia, nomwedzi wechina, nezuva repfumbamwe romwedzi vakakoromora rusvingo rweguta,
39:3b.JER.039.003 machinda ose amambo weBhabhironi akapinda, akagara pasi musuo rapakati, vaiti Nerigarisharezeri, naSamigarinebho, naSherisekimu mukuru wavaranda, naNerigarisharezeri mukuru wenanga, pamwechete namachinda ose amambo weBhabhironi.
39:4b.JER.039.004 Zvino Zedhekia mambo waJudha navarwi vose vakati vachivaona vakatiza, vakabuda muguta vusiku, vachienda nenzira yokumunda wamambo, napasuo raiva pakati pamasvingo maviri; akabuda achienda kumapani.
39:5b.JER.039.005 Asi hondo yavaKaradhea yakadzingana navo, vakabata Zedhekia pamapani eJeriko; zvino vakati vamubata, vakaenda naye kuna Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi paRibhira munyika yeHamati, iye akamutonga.
39:6b.JER.039.006 Ipapo mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekia paRibhira iye akatarira; uye mambo weBhabhironi wakaurayawo vakuru vose vaJudha.
39:7b.JER.039.007 Akatumburawo meso aZedhekia, akamusunga namaketani kuti amuise Bhabhironi.
39:8b.JER.039.008 VaKaradhea vakapisa imba yamambo, nedzimba dzavanhu nomoto, vakakoromora masvingo Jerusaremu.
39:9b.JER.039.009 Ipapo Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akatapa vanhu vakanga vasara muguta, navashanduki vakanga vauya kwaari, navamwe vanhu vakanga vasara, akavaisa Bhabhironi.
39:10b.JER.039.010 Asi Nebhuzaradhani mukuru wavarindi wakasiya munyika yaJudha vamwe varombo vavanhu, vakanga vasina chinhu, akavapa minda yemizambiringa nemimwe minda nenguva iyo.
39:11b.JER.039.011 Nebhukadhirezari weBhabhironi akaraira Nebhuzaradhani mukuru wavarindi pamusoro paJeremiya, achiti,
39:12b.JER.039.012 Mumubate, mumuchengete zvakanaka, murege kumuitira chakaipa; asi mumuitire sezvaanotaura kwamuri.
39:13b.JER.039.013 Naizvozvo Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akatuma nhume, naNebhushazibhani, mukuru wavaranda, naNerigarisharezeri mukuru wenanga, navatariri vakuru vose vamambo weBhabhironi,
39:14b.JER.039.014 ivo vakatuma nhume, vakandotora Jeremiya muruvazhe rwavarindi, vakamuisa kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, kuti aende naye kumusha kwake. Naizvozvo wakagara pakati pavanhu.
39:15b.JER.039.015 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, panguva yaakanga akapfigirwa muruvazhe rwavarindi, richiti,
39:16b.JER.039.016 Enda, utaure naEbhedhimereki muItiopia, uti, zvanzi naJehovha wehondo, Mwari walsiraeri, tarira, ndichaitira guta rino sezvandakareva, ndichariitira zvakaipa, handingariitira zvakanaka; zvichaitika nezuva iro iwe uchizviona.
39:17b.JER.039.017 Asi iwe ndichakurwira nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha; iwe haungaiswi mumaoko avanhu vaunotya.
39:18b.JER.039.018 Nokuti zvirokwazvo ndichakuponesa, haungaurawi nomunondo, asi hupenyu hwako huchava kwauri chinhu chakapambwa, zvawakavimba neni, ndizvo zvinotaura Jehovha.
40
40:1b.JER.040.001 Shoko rakabva kuna Jehovha, rikasvika kuna Jeremiya, asunungurwa paRama naNebhuzaradhani mukuru wavarindi, nguva yaakanga amubata akasungwa namaketani pakati pavatapwa vose veJerusaremu navaJudha, vakanga votapwa vachiiswa Bhabhironi.
40:2b.JER.040.002 Mukuru wavarindi akatora Jeremiya, akati kwaari, Jehovha Mwari wako wakareva zvakaipa izvi pamusoro penzvimbo ino;
40:3b.JER.040.003 zvino Jehovha wazvisvitsa, akaita sezvaakataura; zvamakatadzira Jehovha, mukasateerera inzwi rake, nemhaka iyo chinhu ichi chakauya pamusoro penyu.
40:4b.JER.040.004 Zvino tarira, ndinokusunungurira nhasi maketani ari paruoko rwako. Kana uchiti zvakanaka kuenda neni Bhabhironi, chiuya, ini ndichakuchengeta zvakanaka, asi kana uchiti zvakaipa kuenda neni Bhabhironi, chirega hako; tarira, nyika yose iri pamberi pako; chienda hako kwaunoti zvakanaka nezvakarurama kuti uende.
40:5b.JER.040.005 Zvino wakati achigere kuenda, akati, Dzokera kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, wakagadzwa namambo weBhabhhironi ave mubati wamaguta aJudha, undogara naye pakati pavanhu; kana chienda hako kwaunoti zvakanaka kuti uende. Naizvozvo mukuru wavarindi akamupa zvokudya nechipo, akamuendisa.
40:6b.JER.040.006 Ipapo Jeremiya akaenda kuna Gedharia mwanakomana waAhikami paMizipa, akagara naye pakati pavanhu vakanga vakasiyiwa munyika.
40:7b.JER.040.007 Zvino vakuru vose vehondo, vakanga vari kumasango, ivo navanhu vavo, vakati vachinzwa kuti mambo weBhabhironi wakanga agadza Gedharia mwanakomana waAhikami ave mubati munyika iyo, akaisa pamaoko ake varume navakadzi navana, navaiva varombo kwazvo panyika, vakanga vasina kutapirwa Bhabhironi,
40:8b.JER.040.008 vakauya kuna Gedharia paMizipa, vaiti, Ishimaeri mwanakomana waNetania, naJohanani naJonatani vanakomana vaKarea, naSeraia mwanakomana waTanhumeti, navanakomana vaEfai muNetofati, naJezania mwanakomana womuMaakatiti, ivo navanhu vavo.
40:9b.JER.040.009 Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, akavapikira, ivo navanhu vavo, achiti, Musatya kushumira vaKaradhea; garai henyu panyika, mushumire mambo weBhabhironi, mugova nomufaro.
40:10b.JER.040.010 Kana ndirini, tarirai, ndichagara paMizipa, kuti ndimire pamberi pavaKaradhea, vachauya kwatiri; asi imi, unganidzai waini nezvibereko zvezhizha namafuta, muzviise mumidziyo yenyu, mugare mumaguta enyu amakakunda.
40:11b.JER.040.011 Saizvozvowo, vaJudha vose, vaiva paMoabhu, navaiva pakati pavana vaAmoni, napaEdhomu, navaiva panyika dzose, vakati vachinzwa kuti mambo weBhabhironi wakanga asiya vamwe vaJudha, akagadza Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani ave mubati wavo;
40:12b.JER.040.012 ipapo vaJudha vose vakadzoka pose pavakanga vadzingirwa, vakauya kunyika yaJudha, kuna Gedharia paMizipa, vakaunganidza waini nezvibereko zvizhinji kwazvo zvezhizha.
40:13b.JER.040.013 NaJohananiwo, mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo vaiva kumasango, vakauya kuna Gedharia paMizipa,
40:14b.JER.040.014 vakati kwaari, Munoziva here kuti Bhaarisi, mambo wavana vaAmoni, wakatuma Ishimaeri mwanakomana waNetania kuzokuurayai? Asi Gedharia mwanakomana waAhikami haana kuvatenda.
40:15b.JER.040.015 Ipapo Johanani mwanakomana waKarea akataura naGedharia paMizipa chinyararire, akati, Nditenderei henyu kuenda ndindouraya Ishimaeri mwanakomana waNetania, hakungavi nomunhu uchazviziva; ko iye ungakuurayirei, kuti vaJudha vose vakaungana kwamuri vapararire, navakasara vaJudha vaparare?
40:16b.JER.040.016 Asi Gedharia mwanakomana waAhikami akati kuna Johanani mwanakomana waKarea, Usaita chinhu ichi, nokuti unoreva nhema pamusoro paIshimaeri.
41
41:1b.JER.041.001 Zvino nomwedzi wechinomwe Ishimaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama worudzi rwamambo, mumwe wavanyai vakuru vamambo, wakauya ana varume vane gumi naye kuna Gedharia mwanakomana waAhikami paMizipa, vakadyapo zvokudya pamwechete paMizipa.
41:2b.JER.041.002 Ipapo Ishimaeri mwanakomana waNetania navarume vane gumi vaiva naye vakasimuka, vakabaya Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, nomunondo, vakamuuraya, iye wakanga agadzwa namambo weBhabhironi ave mubati wenyika iyo.
41:3b.JER.041.003 Ishimaeri akaurayawo vaJudha vose vaiva naye, naiye Gedharia paMizipa, navaKaradhea vakawanikwapo, vaiva varwi.
41:4b.JER.041.004 Zvino nezuva rechipiri rokuuraya kwake Gedharia, kusisina munhu wakazviziva,
41:5b.JER.041.005 vamwe varume vakasvikapo vachibva Shekemu neShiro neSamaria, varume vana makumi masere, ndebvu dzavo dzakaveurwa nenguvo dzavo dzakabvarurwa, vakanga vazvicheka-chekawo, vakabata mumaoko avo zvipiriso zvohupfu nezvinonhuwira, kuti vazviise mumba maJehovha.
41:6b.JER.041.006 Ipapo Ishimaeri mwanakomana waNetania wakabuda paMizipa kundovachingamidza, akafamba achingochema; zvino wakati achisangana navo, akati kavari, Uyai kuna Gedharia mwanakomana waAhikami.
41:7b.JER.041.007 Zvino vakati vachisvika pakati peguta, Ishimaeri mwanakomana waNetania akavauraya, ndokuvakanda mukati megomba, iye navarume vaakanga anavo.
41:8b.JER.041.008 Asi pakati pavo pakanga pana varume vane gumi vakati kuna Ishimaeri, Musatiuraya, nokuti tine zvimwe zvatakaviga kusango, zvinoti, zviyo nebhari namafuta nohuchi. Naizvozvo akarega, akasavauraya pakati pehama dzavo.
41:9b.JER.041.009 Zvino gomba iro makakandira Ishimaeri zvitunha zvavanhu vaakanga auraya, pamwechete naGedharia (ndiro rakanga raitwa namambo Asa nemhaka yokutya Bhaasha mambo waIsiraeri), Ishimaeri mwanakomana waNetania wakarizadza navakaurawa.
41:10b.JER.041.010 Ipapo Ishimaeri akatapa vanhu vose vakanga vasara paMizipa, vakaisa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, ivo vakunda vamambo, navanhu vose vakanga vasara paMizipa; Ishimaeri mwanakomana waNetania wakavatapa, akabvapo achida kuenda kuvana vaAmoni.
41:11b.JER.041.011 Asi Johanani mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo vaiva naye, vakati vachinzwa zvakaipa zvose zvakaitwa naIshimaeri mwanakomana waNetania,
41:12b.JER.041.012 vakatora varume vose, vakandorwa naIshimaeri mwanakomana waNetania, vakamuwana ari pamvura zhinji iri paGibhiyoni.
41:13b.JER.041.013 Zvino vanhu vose vaiva naIshimaeri vakati vachiona Johanani mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo vaiva naye, vakafara.
41:14b.JER.041.014 Naizvozvo vanhu vose vakanga vatapwa naIshimaeri paMizipa vakatendeuka vakadzoka, vakaenda kuna Johanani mwanakomana waKarea.
41:15b.JER.041.015 Asi Ishimaeri mwanakomana waNetania wakatiza Johanani ana varume vasere, akaenda kuvana vaAmoni
41:16b.JER.041.016 Ipapo Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vaiva naye vakatora vanhu vose vakanga vasara, vaakanga arwira kuna Ishimaeri mwanakomana waNetania paMizipa, ambouraya Gedharia mwanakomana waAhikami, vaiti, varume varwi navakadzi navana navaranda, vaakanga adzosa paGibhiyoni.
41:17b.JER.041.017 Vakabva, vakandogara paGerutikimhami, riri paBheterehemu, vachiti vagozoenda Ijipiti,
41:18b.JER.041.018 nokuda kwavaKaradhea, nokuti vakanga vachivatya, Ishimaeri mwanakomana waNetania zvaakauraya Gedharia mwanakomana waAhikami, wakanga aitwa mubati wenyika iyo namambo weBhabhironi.
42
42:1b.JER.042.001 Zvino vakuru vose vehondo, naJohanani mwanakomana waKarea naJezania mwanakomana waHoshaia, navanhu vose kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru, vakaswedera,
42:2b.JER.042.002 vakati kumuporofita Jeremiya, Tinokumbira kuti munyengetero wedu usvitswe pamberi penyu, mutinyengeterere kuna Jehovha Mwari wenyu, munyengeterere ava vose vakasara (nokuti takasara tiri vashoma kuna vaiva vazhinji, sezvamunotiona nameso enyu),
42:3b.JER.042.003 kuti Jehovha Mwari wenyu atiratidze nzira yatinofanira kufamba nayo nechinhu chatinofanira kuita.
42:4b.JER.042.004 Ipapo muporofita Jeremiya akati kwavari, Ndakunzwai; tarirai, ndichanyengetera kuna Jehovha Mwari wenyu sezvamakareva namashoko enyu; zvino chinhu chipi nechipi chamunopindurwa naJehovha, ndichakuzivisai icho, handingatongokuvanziriyi chinhu.
42:5b.JER.042.005 Ipapo vakati kuna Jeremiya, Jehovha ngaave chapupu chazvokwadi chakatendeka pakati pedu, kana tikarega kuita mashoko ose amunozotumwa nawo kwatiri naJehovha Mwari wenyu.
42:6b.JER.042.006 Kana richinge rakanaka, kana richinge rakaipa, tichateerera inzwi raJehovha Mwari wedu, watinokutumirai kwaari; kuti tive nomufaro, kana tichiteerera inzwi raJehovha Mwari wedu.
42:7b.JER.042.007 Zvino mazuva ane gumi akati apera, shoko raJehovha rikasvika kuna Jeremiya.
42:8b.JER.042.008 Ipapo akadana Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vaiva naye navanhu vose, kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru,
42:9b.JER.042.009 akati kwavari, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, wamakanditumira kwaari kuti ndisvitse munyengetero wenyu pamberi pake.
42:10b.JER.042.010 Kana muchinge muchada kugara munyika ino, ini ndichakuvakai, handingakukoromoriyi, ndichakusimai, handingakudzuriyi; nokuti ndinozvidemba pamusoro pezvakaipa zvandakakuitirai.
42:11b.JER.042.011 Musatya henyu mambo weBhabhironi, iye wamunotya; musatya henyu, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndinemi, kuti ndikuponesei nokukurwirai paruoko rwake.
42:12b.JER.042.012 Ndichakunzwirai nyasha, kuti iye ave nenyasha nemi, akudzosei kunyika yenyu.
42:13b.JER.042.013 Asi kana mukati, Hatidi kugara munyika ino, saizvozvo musingateereri inzwi raJehovha Mwari wenyu,
42:14b.JER.042.014 muchiti, Kwete, tichaenda kunyika yeIjipiti, kwatisingazooni kurwa, kana kunzwa inzwi rehwamanda, kana kunzwa nzara yezvokudya, tichandogarako;
42:15b.JER.042.015 naizvozvo zvino chinzwai shoko raJehovha, imi vakasara vaJudha, Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, kana muchiramba makarinzira zviso zvenyu kuti muende Ijipiti, kundogarako muri vatorwa;
42:16b.JER.042.016 ipapo munondo wamunotya uchakubataipo panyika yeIjipiti; nenzara yamunotya ichakutevererai kwazvo paIjipiti, ndipapo pamuchandofira.
42:17b.JER.042.017 Ndizvo zvichaitirwa varume vose vanorinzira zviso zvavo kuti vaende Ijipiti, kundogarako vari vatorwa; vachafa nomunondo, nenzara, uye nehosha; hakuna mumwe wavo uchasara kana kupukunyuka pazvakaipa zvandichauyisa pamusoro pavo.
42:18b.JER.042.018 Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Kutsamwa kwangu nehasha dzangu sezvazvakadururwa pamusoro pavagere Jerusaremu, saizvozvo hasha dzangu dzichadururwa pamusoro penyu, kana muchipinda Ijipiti; muchava chinhu chinotukwa, nechishamiso, nechinomhurwa, nechinoshoorwa; nenzvimbo ino hamungazoionizve.
42:19b.JER.042.019 Jehovha wakataura pamusoro penyu, imi vakasara vaJudha, achiti, Regai kuenda Ijipiti; zivai kwazvo kuti ndakakupupurirai nhasi.
42:20b.JER.042.020 Nokuti makanyengera mweya yenyu; nokuti makanditumira kuna Jehovha Mwari wenyu, muchiti, Tinyengetererei kuna Jehovha Mwari wedu, zvose zvicharehwa naJehovha Mwari wedu, mutizivise izvozvo, tichazviita.
42:21b.JER.042.021 Zvino nhasi ndakuzivisai izvozvo, asi hamuna kuteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu pachinhu chimwe chaakanditumira nacho kwamuri.
42:22b.JER.042.022 Naizvozvo zvino zivai kwazvo kuti muchafa nomunondo, nenzara, uye nehosha yakaipa panzvimbo iyo yamunoda kuenda kwairi kundogarako muri vatorwa.
43
43:1b.JER.043.001 Zvino Jeremiya wakati apedza kuudza vanhu mashoko ose aJehovha Mwari wavo, aakanga atumwa nawo kwavari naJehovha Mwari wavo, iwo mashoko awa ose,
43:2b.JER.043.002 ipapo Azaria mwanakomana waHoshaia, naJohanani mwanakomana waKarea, navarume vose, vaizvikudza, vakataura vachiti, kuna Jeremiya, Unoreva nhema, Jehovha Mwari wedu haana kukutuma kuzoti, Musaenda Ijipiti kundogarapo muri vatorwa;
43:3b.JER.043.003 asi Bharuki mwanakomana waNeria ndiye unokumutsa pamusoro pedu, kuti tiiswe mumaoko avaKaradhea, kuti vatiuraye nokutitapira Bhabhironi.
43:4b.JER.043.004 Naizvozvo Johanani mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo, navanhu vose, havana kuteerera inzwi raJehovha, kuti vagare munyika yaJudha.
43:5b.JER.043.005 Asi Johanani mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo, vakatora vose vakasara vaJudha, vakanga vadzoka kumarudzi ose kwavakadzingirwa, vachida kugara vari vatorwa munyika yaJudha,
43:6b.JER.043.006 vaiti, varume navakadzi navana navakunda vamambo nomunhu upi noupi akanga asiyiwa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, pamwechete naJeremiya muporofita, naBharuki mwanakomana waNeria,
43:7b.JER.043.007 vakandosvika kunyika yeIjipiti; nokuti havana kuteerera inzwi raJehovha; vakandosvika Tapanesi.
43:8b.JER.043.008 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya paTapanesi, richiti,
43:9b.JER.043.009 Tora mabwe makuru muruoko rwako, uavige muvhu pakati pezvitina, pavanopinda napo paimba yaFarao naTapanesi, vanhu vose vaJudha vachizviona;
43:10b.JER.043.010 ugoti kwavari, Zvanzi naJehovha wehondo, mwari walsiraeri, Tarirai, ndichatuma shoko kundotora Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, muranda wangu, ndiise chigaro chake choushe pamusoro pamabwe awa andakaviga; uchawirira pamusoro pawo jira rake rinobwinya.
43:11b.JER.043.011 Uchauya achirova nyika yeIjipiti; vakafanira rufu vachaiswa kurufu, vakafanira kutapwa vachaiswa kukutapwa, vakafanira munondo vachaiswa kumunondo.
43:12b.JER.043.012 Ndichabatidza moto mudzimba dzavamwari veIjipiti; uchadzipisa nokuvatapa; uchafuka nyika yeIjipiti somufudzi unofuka nguvo yake, uchabvapo norugare.
43:13b.JER.043.013 Uchaputsawo shongwe dzeBhetishemeshi, riri munyika yeIjipiti; dzimba dzavamwari veIjipiti uchadzipisa nomoto.
44
44:1b.JER.044.001 Shoko rakasvika kuna Jeremiya pamusoro pavaJudha vose vakanga vagere panyika vakanga vagere Migidhori neTapanesi neNofi nomunyika yePatirosi, richiti,
44:2b.JER.044.002 Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari walsiraeri, Makaona zvakaipa zvose zvandakauyisa pamusoro peJerusaremu napamusoro pamaguta ose aJudha; zvino tarirai, nhasi ava matongo, hapachina munhu unogaramo,
44:3b.JER.044.003 nemhaka yezvakashata zvavo zvavakaita, zvakanditsamwisa, vachindopisa zvinonhuwira, nokushumira vamwe vamwari, vavakanga vasingazivi, ivo kana imi kana madzibaba enyu.
44:4b.JER.044.004 Asi ndakakutumirai varanda vangu vose vaporofita, ndichimuka mangwanani ndichivatuma, ndichiti, Haiwa, regai kuita chinhu ichi chinonyangadza, chandinovenga.
44:5b.JER.044.005 Asi havana kuteerera, kana kurerekera nzeve dzavo kuti vadzoke pazvakashata zvavo, vakarega kupisira vamwe vamwari zvinonhuwira.
44:6b.JER.044.006 Naizvozvo hasha dzangu nokutsamwa kwangu zvakadururwa, zvikatungidzwa mumaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu; zvino aparadzwa ava matongo, sezvazvakaita nhasi.
44:7b.JER.044.007 Naizvozvo zvino zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri, Munotadzirireiko mweya yenyu nechinhu chakaipa chikuru ichi, kuti muparadzirwe varume navakadzi navacheche navanomwa pakati paJudha, kuti murege kusarirwa nomumwe;
44:8b.JER.044.008 zvamunonditsamwisa namabasa amaoko enyu, muchipisira vamwe vamwari zvinonhuwira munyika yeIjipiti kwamakaenda kundogara muri vatorwa; mugoparadzwa, muve chinotukwa nechinoshoorwa pakati pamarudzi ose enyika?
44:9b.JER.044.009 Makanganwa here zvakashata zvamadzibaba enyu nezvakashata zvamadzimambo aJudha, nezvakashata zvavakadzi vavo, nezvakashata zvenyu, nezvakashata zvavakadzi venyu, zvavakaita munyika yaJudha nomunzira dzomuJerusaremu?
44:10b.JER.044.010 Kusvikira zuva ranhasi havana kuzvininipisa, kana kutya, kana kufamba nomurayiro wangu kana nezvirevo zvangu, zvandakaisa pamberi penyu napamberi pamadzibaba enyu.
44:11b.JER.044.011 Naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, Mwari walsiraeri, Tarirai, ndichakurinzirai chiso changu kuti ndikuitirei zvakaipa, kuti ndiparadze Judha rose.
44:12b.JER.044.012 Ndichabvisa vakasara vose vaJudha, vakarinzira zviso zvavo kuti vaende kunyika yeIjipiti kundogarako vari vatorwa, vachaparadzwa vose; vachaparadzwa nomunondo nenzara, vachafa nomunondo nenzara kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru; vachava chinhu chinotukwa, nechishamiso, nechinomhurwa, nechinoshoorwa.
44:13b.JER.044.013 Nokuti ndicharova vagere munyika yeIjipiti, sezvandakarova Jerusaremu nomunondo nenzara uye nehosha yakaipa;
44:14b.JER.044.014 kuti kurege kuva nomumwe wakasara waJudha, vakaenda kunyika yeIjipiti kundogarako vari vatorwa, ungapukunyuka kana ungasara, kuti adzokere kunyika yaJudha, kwavanoshuva kudzokera kuti vagarekozve; nokuti hakuna ungadzokera, asi vakapukunyuka.
44:15b.JER.044.015 Ipapo varume vose, vaiziva kuti vakadzi vavo vanopisira vamwe vamwari zvinonhuwira, navakadzi vose, vakanga vamirepo, ungano huru, ivo vanhu vose vakanga vagere munyika yeIjipiti, naPatirosi, vakapindura Jeremiya, vachiti,
44:16b.JER.044.016 Kana riri shoko rawakatiudza nezita raJehovha, hatingakuteereri.
44:17b.JER.044.017 Asi zvirokwazvo tichaita shoko rimwe nerimwe rakabuda mumiromo yedu, tichapisira vahosi vokudenga zvinonhuwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa, sezvatakaita isu namadzibaba edu namadzimambo edu namachinda edu, pamaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu; nokuti nenguva iyo taiva nezvokudya zvizhinji, taifara pamuviri, tikasaona njodzi.
44:18b.JER.044.018 Asi kubvira panguva yatakarega kupisira vahosi vokudenga zvinonhuwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa, takashaiwa zvose, tikapedzwa nomunondo nenzara.
44:19b.JER.044.019 Zvino panguva yatakapisira vahosi vokudenga zvinonhuwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa, ko taivaitira zvingwa zvokuvanamata nazvo, tikavadururira zvipiriso zvinodururwa, tisina varume vedu here?
44:20b.JER.044.020 Ipapo Jeremiya akati kuvanhu vose, kuvarume nokuvakadzi, kuna ivo vanhu vose vakanga vamupindura saizvozvo, akati,
44:21b.JER.044.021 Zvinonhuwira zvamaipisa mumaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu, imi namadzibaba enyu namadzimambo enyu namachinda enyu navanhu vose venyika, ko Jehovha haana kuzvirangarira here? Hazvina kufungwa mumoyo make here?
44:22b.JER.044.022 Kusvikira Jehovha akakoniwa kuzova nomoyo murefu, nokuda kwezvakaipa zvamabasa enyu, uye nokuda kwezvinonyangadza zvamaiita; naizvozvo nyika yenyu rava dongo, nechinoshamisa nechinotukwa, isina unogaramo, sezvazvakaita zuva ranhasi.
44:23b.JER.044.023 Zvamakapisa zvinonhuwira, zvamakatadzira Jehovha, mukasateerera inzwi raJehovha, mukasafamba nomurayiro wake, kana nezvirevo zvake, kana nezvaakapupura, naizvozvo zvakaipa izvi zvakakuwirai, sezvakakuwirai, sezvazvakaita zuva ranhasi.
44:24b.JER.044.024 Zvino Jeremiya akatiwo kuvanhu vose nokuvakadzi vose, Inzwai shoko raJehovha, imi vaJudha vose vari munyika yeIjipiti,
44:25b.JER.044.025 zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Imi navakadzi venyu makataura nemiromo yenyu, mukazviita namaoko enyu, muchiti, Zvirokwazvo, mhiko dzedu dzatakapika tichadziita, kuti tichapisira vahosi vokudenga zvinonhuwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa; zvino chisimbisai henyu mhiko dzenyu, itai henyu mhiko dzenyu.
44:26b.JER.044.026 Zvino chinzwai shoko raJehovha, imi vaJudha vose vagere munyika Tarirai, ndakapika nezita rangu guru ndizvo zvinotaura Jehovha kuti zita rangu harichazorehwi nomuromo womunhu upi noupi waJudha munyika yose yeIjipiti, zvichinzi, NaIshe Jehovha mupenyu!
44:27b.JER.044.027 Tarirai, ndinovarindira ndivaitire zvakaipa, ndirege kuvaitira zvakanaka; vanhu vose vaJudha vari munyika yeIjipiti vachaparadzwa nomunondo nenzara, kusvikira vapera vose.
44:28b.JER.044.028 Vanopukunyuka pamunondo vachabva munyika yeIjipiti vachidzokera kunyika yaJudha, vava vashoma vakasara vose vaJudha vakanga vaenda kunyika yeIjipiti kundogarako vari vatorwa, vachaziva kuti shoko richava nesimba nderani, rangu kana ravo.
44:29b.JER.044.029 Zvino ichi ndicho chichava chiratidzo kwamuri ndizvo zvinotaura Jehovha kuti ndichakurovai panzvimbo ino, kuti muzive kuti mashoko angu achava nesimba kukuitirai zvakaipa.
44:30b.JER.044.030 Zvanzi naJehovha, Tarirai, ndichaisa Farao Hofira mambo weIjipiti, mumaoko avavengi vake, nomumaoko avanotsvaka kumuuraya, sezvandakaisa Zedhekia mambo waJudha mumaoko aNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, vaiva muvengi wake, waitsvaka kumuuraya.
45
45:1b.JER.045.001 Shoko, rakataurwa nomuporofita Jeremiya kuna Bharuki mwanakomana waNeria, panguva yaakanyora mashoko awa mubhuku, zvichibva mumuromo waJeremiya, negore rechina raJehoiakimu mwanakomana waJosia, mambo waJudha, richiti,
45:2b.JER.045.002 Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, kwauri, iwe Bharuki,
45:3b.JER.045.003 iwe wakati, Ndine nhamo zvino, nokuti Jehovha wakawedzera kuchema pakurwadziwa kwangu; ndaneta nokugomera kwangu, ndinoshaiwa zororo.
45:4b.JER.045.004 Zvino chiti, kwaari, Zvanzi naJehovha, tarira, chandakavaka ndichachikoromorazve, chandakasima ndichachidzurazve; ndizvo zvandichaitira nyika yose.
45:5b.JER.045.005 Iwe unozvitsvakira zvinhu zvikuru here? Usazvitsvaka; nokuti tarira, ndichauyisa zvakaipa pamusoro penyama yose ndizvo zvinotaura Jehovha; asi ndichakupa hupenyu hwako chive chinhu chakapambwa panzvimbo dzose kwaunoenda.
46
46:1b.JER.046.001 Shoko raJehovha, rakasvika kumuporofita Jeremiya pamusoro pamarudzi.
46:2b.JER.046.002 Pamusoro peIjipiti; pamusoro pehondo yaFaraoneko mambo weIjipiti, yakanga iri parwizi Yufuratesi paKarikemishi, yakakundwa naNebhukadhirezari mambo weBhabhironi negore rechina raJehoiakimu mwanakomana waJosia, mambo waJudha.
46:3b.JER.046.003 Gadzirai nhovo duku nenhovo huru, muswedere kunorwiwa.
46:4b.JER.046.004 Sungai mabhiza, kwirai imwi vatasvi mumire makadzika ngowani dzenyu; rodzai mapfumo, pfekai nguvo dzamatare.
46:5b.JER.046.005 Ndakazviwonereiko? Vakanganiswa, vadzokera shure; mhare dzavo dzakundwa, dzatiza, hadzicheukiri shure, kutya kuri pamativi ose, ndizvo zvinotaura Jehovha.
46:6b.JER.046.006 Vanomhanyisa ngavarege kutiza, mhare ngadzirege kupukunyuka; kurutivi rwokumusoro, parwizi rwaYufuratesi, vakagumburwa vakawira pasi.
46:7b.JER.046.007 Ndianiko uyo unokwira sorwizi rwaNairi, mvura yarwo inotamba senzizi?
46:8b.JER.046.008 Ijipiti rinokwira saNairi, mvura yarwo inotamba senzizi; rinoti, Ndichakwira, ndichafukidza nyika, ndichaparadza maguta navageremo.
46:9b.JER.046.009 Kwirai, imi mabhiza, fambisai imi ngoro, mhare ngadzibude, vanoti, Kushi naPuti vanoshonga nhovo, navaRudhi vanobata nokuwembura huta.
46:10b.JER.046.010 Nokuti zuva iro izuva raShe, Jehovha wehondo, zuva rokutsiva kuti azvitsivire vadzivisi vake; munondo uchadya nokuguta, uchanwa ropa ravo ukaguta, nokuti Ishe, Jehovha wehondo, unechibayiro chake kunyika yokumusoro parwizi rwaYufuratesi.
46:11b.JER.046.011 Kwira uende Giriyadhi, undotorako muti webharisami, iwe mhandara, mukunda weIjipiti; wawanza mishonga mizhinji isina maturo, hauporeswi.
46:12b.JER.046.012 Marudzi akanzwa zvokunyadziswa kwako, nyika izere nokuchema kwako; nokuti mhare dzakabonderana nemhare, vose vaviri vakawira pasi.
46:13b.JER.046.013 Shoko, rakaudzwa muporofita Jeremiya naJehovha, richireva muuyire waNebhukadhirezari mambo weBhabhironi nomukundire wake nyika yeIjipiti.
46:14b.JER.046.014 Paridzirai paIjipiti, zivisai paMigidhori, zivisai paNofi napaTapanesi, muti, Simukai muzvigadzire, nokuti munondo wakadya zviri kumativi ako ose.
46:15b.JER.046.015 Mhare dzako dzakabviswa neiko? Havana kumira, nokuti Jehovha wakavadzinga.
46:16b.JER.046.016 Wakagumbusa vazhinji, zvirokwazvo mumwe wakawira pamusoro pomumwe; vakati, Simukai, tiendezve kuvanhu vedu, nokunyika kwatakaberekerwa, titize munondo unomanikidza.
46:17b.JER.046.017 Vakadanidzirako, vachiti, Farao mambo weIjipiti iguhu zvaro, wakarega nguva yakatarwa ichipfuura.
46:18b.JER.046.018 Nohupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura mambo une zita rinonzi Jehovha wehondo, Zvirokwazvo uchauya akaita seTabhori pakati pamakomo, uye seKarimeri pagungwa.
46:19b.JER.046.019 Iwe mukunda unogara Ijipiti, zvigadzirire kutapwa, nokuti Nofi richaitwa dongo, richapiswa, risina unogaramo.
46:20b.JER.046.020 Ijipiti imhorombe yakaisvonaka, asi vuvu rinobva kurutivi rwokumusoro rasvika, rasvika.
46:21b.JER.046.021 Navanhu varo vanoripirwa, vari mukati maro, vakafanana nemhuru dzomudanga, nokuti naivo vakadzoka, vakatiza pamwechete, havana kumira; nokuti zuva renjodzi yavo rakauya pamusoro pavo, iyo nguva yokurohwa kwavo.
46:22b.JER.046.022 Mubvumo waro uchava sowenyoka, nokuti vachafamba nehondo, vachandorwa navo namatemo, savatemi vemiti.
46:23b.JER.046.023 Vachatema dondo raro, ndizvo zvinotaura Jehovha, nokuti havanganzverwi, nokuti vakawanda kupfuura mhashu, havangaverengwi.
46:24b.JER.046.024 Mukunda weIjipiti uchanyadziswa, uchaiswa mumaoko avanhu vanobva kurutivi rwokumusoro.
46:25b.JER.046.025 Jehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, unoti, Tarirai, ndicharova Amoni neNo, naFarao, neIjipiti navamwari varo, namadzimambo aro, iye Farao navose vanovimba naye.
46:26b.JER.046.026 Ndichavaisa mumaoko avanotsvaka kuvauraya, nomumaoko aNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, nomumaoko avaranda vake; zvino pashure richagarwa, sapamazuva akare ndizvo zvinotaura Jehovha.
46:27b.JER.046.027 Asi usatya hako, iwe Jakobho, muranda wangu, usavhunduswa, iwe Isiraeri; nokuti tarira, ndichakuponesa uri kure, navana vako vari panyika kwavakatapirwa; Jakobho uchadzoka, uchanyarara nokuzorora, hakuna ungamutyisa.
46:28b.JER.046.028 Usatya hako, iwe Jakobho, muranda wangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, nokuti ndinewe; nokuti ndichapedza kwazvo marudzi ose kwandakakudzingira; asi iwe handingakupedzi, asi ndichakuranga ndichiita nokururama, handingakuregi usina kurohwa.
47
47:1b.JER.047.001 Shoko raJehovha, rakasvika kumuporofita Jeremiya pamusoro pavaFirisitia, Farao achigere kukunda Gaza.
47:2b.JER.047.002 Zvanzi naJehovha, Tarirai, mvura zhinji inokwira ichibva kurutivi rwokumusoro, ichava rwizi runopafuma, ichafukidza nyika nezvose zvirimo, neguta navageremo; vanhu vachachema, navose vagere munyika vachaw-ungudza.
47:3b.JER.047.003 Kana vachinzwa kutinhira kwokutsika kwamahwanda amabhiza ake ane simba, nokumhanyisa kwengoro dzake, nokuvirima kwamakumbo engoro dzake, madzibaba haacheukiri kuvana vawo nokuneta kwamaoko avo;
47:4b.JER.047.004 nemhaka yezuva iro, rinouya kuparadza vaFirisitia vose, nokuparadza paTire neSidhoni mubatsiri mumwe nomumwe wakasara; nokuti Jehovha uchaparadza vaFirisitia, ivo vakasara vechiwi cheKafitori.
47:5b.JER.047.005 Gaza rava nemhanza, Ashikeroni raparadzwa, izvo zvakanga zvasara zvomupata wavo; ucharamba uchizvitema kusvikira rinhiko?
47:6b.JER.047.006 Haiwa, iwe munondo waJehovha, uchashaiwa zororo kusvikira rinhiko? Dzokera mumuhara wako, zorora, unyarare.
47:7b.JER.047.007 Unganyarara seiko, Jehovha zvaakakuraira? Pamusoro peAshikeroni napamusoro pemhenderekedzo yegungwa, ndipo paakazviraira.
48
48:1b.JER.048.001 Pamusoro paMoabhu. Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Nebho rine nhamo, nokuti raparadzwa; Kiriataimu ranyadziswa, rakundwa; Mishigabhi ranyadziswa, ravhunduswa.
48:2b.JER.048.002 Mbiri yaMoabhu haichipo; paHeshibhoni vakarangana zvakaipa pamusoro pavo, vachiti, Uyai, tivaparadze, varege kuzova rudzi. Newewo Madhimeni, uchanyaradzwa, munondo uchakutevera.
48:3b.JER.048.003 Inzwai inzwi rokuchema rinobva Horonaimi, Kuparadzwa nokukoromorwa kukuru!
48:4b.JER.048.004 Moabhu vaparadzwa; vanana vavo vakanzwika vachichema.
48:5b.JER.048.005 Nokuti vachakwira nomukwidzwa weRuhiti vachingochema; nokuti pamatenusirwa eHoronaimi vakanzwa njodzi yokuchema kwokuparadzwa.
48:6b.JER.048.006 Tizai, muponese mweya yenyu, mufanane negwenzi murenje.
48:7b.JER.048.007 Nokuti zvamakavimba namabasa enyu nefuma yenyu, muchakundwawo; Kemoshi vachaenda kwavanotapwa, vapirisiti vavo namachinda avo pamwechete.
48:8b.JER.048.008 Muparadzi uchawira guta rimwe nerimwe, hakuna guta richapukunyuka; mupata uchapararawo, nebani richaparadzwa, sezvakataura Jehovha.
48:9b.JER.048.009 Ipai Moabhu mapapiro, vabhururuke, vaende; maguta avo achava matongo, anoshaiwa unogaramo.
48:10b.JER.048.010 Ngaatukwe unobate basa raJehovha asina hanya naro; ngaatukwe unodzora munondo wake paropa.
48:11b.JER.048.011 Moabhu vakanga vane zororo kubva pahuduku hwavo, vakagara pamasese avo, havana kudururwa vachibviswa mumudziyo, uye havana kutapwa; naizvozvo kuzipa kwavo kwakarambira mukati mavo, nokunhuwira kwavo hakuna kushanduka.
48:12b.JER.048.012 Naizvozvo tarirai, mazuva anouya ndizvo zvinotaura Jehovha andichatuma kwavari vanomimina; ivo vachavamimina, vachadurura midziyo yavo chose, nokuputsanya hari dzavo.
48:13b.JER.048.013 Moabhu vachanyara pamusoro peKemoshi, sezvakanyadziswa imba yaIsiraeri pamusoro peBhetieri, ravaivimba naro.
48:14b.JER.048.014 Munotaura seiko, muchiti, Tiri mhare, vanhu vakatsunga pakurwa?
48:15b.JER.048.015 Moabhu vaparadzwa, vakwira mumaguta avo, majaya avo akasanangurwa akaburuka kundourawa ndizvo zvinotaura Mambo, une zita rinonzi Jehovha wehondo.
48:16b.JER.048.016 Njodzi yaMoabhu yava pedo yodokuuya, nhamo yavo yokurumidza kuuya.
48:17b.JER.048.017 Vachemei, imi mose makavapoteredza, imi mose munoziva zita ravo; muti, Haiwa, tsvimbo yakasimba, iwo mudonzvo wakanaka, zvavhunika sei!
48:18b.JER.048.018 Iwe mukunda unogara Dhibhoni, buruka pakukudzwa kwako, ugare pane nyota, nokuti muparadzi waMoabhu wauya kuzorwa newe, waparadza nhare dzako.
48:19b.JER.048.019 Iwe unogara Aroeri, mira panzira utarire; bvunza unotiza nounopukunyuka, uti, Chinyiko chaitwa?
48:20b.JER.048.020 Moabhu vakanyadziswa, nokuti vakakoromorwa. Wungudzai mucheme, muzviparidzire paArinoni kuti VaMoabhu vaparadzwa.
48:21b.JER.048.021 Zvirokwazvo, kutongwa kwasvika panyika yamapani, paHoroni, napaJaza, napaMefaati,
48:22b.JER.048.022 napaDhibhoni, napaNebho, napaBhetidhibhirataimu,
48:23b.JER.048.023 napaKiriataimu, napaBhetigamuri, napaBhetimeoni,
48:24b.JER.048.024 napaKerioti, napaBhozira, napamaguta ose enyika yavaMoabhu, kure kana pedo.
48:25b.JER.048.025 Runyanga rwaMoabhu rwagurwa, ruoko rwavo rwavhuniwa ndizvo zvinotaura Jehovha.
48:26b.JER.048.026 Muvape doro vabatwe, nokuti vakaita manyawi pamberi paJehovha; VaMoabhu vachawumburuka mumarutsi avo, vachasekwawo.
48:27b.JER.048.027 Nokuti VaIsiraeri havana kusekwa nemi here? Vakawanikwa pakati pamakororo here? Nokuti nguva dzose kana muchimureva iye munodzungudza misoro yenyu.
48:28b.JER.048.028 Imi mugere panyika yaMoabhu, ibvai mumaguta, mugare mudombo, muve senjiva inovaka dendere rayo pamativi amawere.
48:29b.JER.048.029 Takanzwa kuzvikudza kwaVaMoabhu, kuti vanozvikudza kwazvo; nokuzvirumbidza kwavo, namanyawi omoyo wavo.
48:30b.JER.048.030 Ndinoziva hasha dzavo, kuti hadzina maturo ndizvo zvinotaura Jehovha; kuzvirumbidza kwavo hazvina kuita chinhu.
48:31b.JER.048.031 Naizvozvo ndichawungudza pamusoro paMoabhu, zvirokwazvo ndichadanidzira pamusoro pavaMoabhu vose; vachachema vanhu veKiriheresi.
48:32b.JER.048.032 Ndichakuchemera, iwe muzambiringa weSibhima, nokuchema kunopfuura kuchema kwaJazeri; matavi ako akadarika gungwa, akandosvika pagungwa raJazeri; muparadzi wawira zvibereko zvako zvezhezha namazambiringa ako.
48:33b.JER.048.033 Mufaro nokufara zvabviswa pamunda wakanga uchibereka zvakanaka napanyika yaMoabhu; ndakagumisa waini pazvisviniro, hakuna vachatsika vachipururudza, kupururudza hakungavi kupururudza.
48:34b.JER.048.034 Kubva pakuchema kweHeshibhoni kusvikira Ereare, nokusvikira Jahazi, vakanzwisa inzwi ravo, kubva Zoari kusvikira Horonaimi neEgiratisherishiya; nokuti nemvura zhinji yeNimirimi ichaparadzwa.
48:35b.JER.048.035 Ndichagumisawo pakati paMoabhu ani naani unobayira panzvimbo dzakakwirira, naiye unopisira vamwari vake zvinonhuwira ndizvo zvinotaura Jehovha.
48:36b.JER.048.036 Naizvozvo moyo wangu unorira pamusoro paMoabhu senyere, nomoyo wangu unorira senyere pamusoro pavanhu veKiriheresi; naizvozvo zvakawanda zvaakazviwanira zvapera.
48:37b.JER.048.037 Nokuti misoro yose yava nemhazha, nendebvu dzose dzaveurwa; maoko ose atemwa, nezviuno zvose zvinamasaga.
48:38b.JER.048.038 Pamatenga edzimba dzaMoabhu, napanzira dzomumisha yavo kuwungudza kuripo pose; nokuti ndaputsa Moabhu somudziyo usingafadzi munhu ndizvo zvinotaura Jehovha.
48:39b.JER.048.039 Vakoromorwa sei! Vanowungudza sei! Moabhu vakafuratira sei nokunyadziswa! Saizvozvo Moabhu vachava chinhu chinosekwa nechinotyisa pakati pavose vanovapoteredza.
48:40b.JER.048.040 Nokuti zvanzi naJehovha, Tarirai, uchabhururuka segondo, uchatambanudzira mapapiro ake kuzorwa naMoabhu.
48:41b.JER.048.041 Maguta akundwa, nhare dzakundwa, nezuva iro moyo yemhare dzaMoabhu ichaita somoyo womukadzi pakurwadziwa kwake.
48:42b.JER.048.042 Moabhu vachaparadzwa, varege kuva rudzi rwavanhu, nokuti vakazvikudza pamberi paJehovha.
48:43b.JER.048.043 Kutya nehunza nomusungo zvasvika kwauri, iwe ugere panyika yaMoabhu, ndizvo zvinotaura Jehovha.
48:44b.JER.048.044 Unotiza chinotyisa uchawira muhuzha; unokwira achibuda muhunza uchabatwa nomusungo, nokuti ndichauyisa pamusoro pavo, ipo pamusoro paMoabhu, gore rokurohwa kwavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
48:45b.JER.048.045 Vakatiza vamire pamumvuri weHeshibhoni vasina simba, nokuti moto wabuda paHeshibhoni, nomurazvo pakati paSihoni, waparadza mativi aMoabhu nemisoro yavanoda kurwa.
48:46b.JER.048.046 Mune nhamo, imi Moabhu! Vanhu veKemoshi vapera; nokuti vanakomana venyu vatapwa, navakunda venyu vaiswa kukutapwa.
48:47b.JER.048.047 Asi namazuva okupedzisira ndichadzosa kutapwa kwaMoabhu ndizvo zvinotaura Jehovha. Ndipo panosvika kutongwa kwaMoabhu.
49
49:1b.JER.049.001 Pamusoro pavana vaAmoni. Zvanzi naJehovha, Ko VaIsiraeri havana vanakomana here? Havana vagari venhaka here? Ko Marikami wagarireiko nhaka yaGadhi, vanhu vake vanogarirei mumaguta ake?
49:2b.JER.049.002 Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarirai, mazuva anosvika, andichanzwisa vanhu mhere yokurwa neRabha ravana vaAmoni; richaitwa murwi wamatongo; ipapo vaIsiraeri vachadya nhaka yavakambodya nhaka yavo.
49:3b.JER.049.003 Wungudza iwe Heshibhoni, nokuti Ai raparadzwa, chemai imi vakunda vaRebha, zvisungei zviuno namasaga, wungudzai, mumhanye kwose kwose pakati pezhowa, nokuti Marikami uchatapwa, iye navapirisiti namachinda ake pamwechete.
49:4b.JER.049.004 Unozvirumbidzireiko pamusoro pamipata, pamusoro pomupata wako unoyerera, iwe mukunda wokudzokera shure, iwe wokuvimba nefuma yako, uchiti, Ndianiko ungarwa neni?
49:5b.JER.049.005 Tarira, ndichauyisa pamusoro pako kutya vose vanokupoteredza, ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha wehondo; muchachingwa mumwe nomumwe ipo paakatarira, hakuna ungazounganidza vanodzungaira.
49:6b.JER.049.006 Asi pashure ndichadzosa kutapwa kwavana vaAmoni, ndizvo zvinotaura Jehovha.
49:7b.JER.049.007 Pamusoro paEdhomu. Zvanzi naJehovha wehondo, Ko paTemani hapachina huchenjeri here? Mano arova kuna vakangwara here? Huchenjeri hwavo hwanyangarika here?
49:8b.JER.049.008 Tizai, mudzoke, garai makadzika, imi mugere paDhedhani; nokuti ndichauyisa njodzi yaEsau pamusoro pake nenguva yandichamurova nayo.
49:9b.JER.049.009 Kana vakohwi vemizambiringa vakasvika kwauri, havangasiyi mamwe mazambiringa angazokohiwa here? Kana mbavha dzikasvika vusiku havangaparadzi kusvikira varinganwa here?
49:10b.JER.049.010 Ndakafukura Esau, ndazarura nzvimbo dzake dzakavanda, haangagoni kuvanda; vana vake vaparadzwa, nehama dzake nowokwake; iye haachipo.
49:11b.JER.049.011 Siya nherera dzako, ini ndichadziraramisa, chirikadzi dzako ngadzivimbe neni.
49:12b.JER.049.012 Nokuti zvanzi naJehovha, Tarirai, vakanga vasina kufanira kunwa pamukombe, vachanwa zvirokwazvo; ko zvino iwe ndiwe ucharegwa chose usingarohwi here? Haungaregwi usingarohwi, asi uchanwa zvirokwazvo.
49:13b.JER.049.013 Nokuti ndakapika neni ndimene, ndizvo zvinotaura Jehovha kuti Bhozira richaitwa chishamiso nechinoshoorwa, nedongo rechinotukwa; maguta aro ose achava matongo nokusingaperi.
49:14b.JER.049.014 Ndakanzwa mashoko anobva kuna Jehovha, nhume yakatumwa pakati pamarudzi, ichiti, Unganai, muuye kuzorwa naro, musimukire kurwa.
49:15b.JER.049.015 Nokuti tarirai, ndakakuita muduku pakati pamarudzi, nounozvidzwa pakati pavanhu.
49:16b.JER.049.016 Kana kuri kutyisa kwako, kuzvikudza kwomoyo wako kwakakunyengera, iwe ugere mumikaha yedombo, unozvisimbisa pakakwirira pazvikomo; kunyange ukavaka dendere rako pakakwirira segondo, ndichakubvisapo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
49:17b.JER.049.017 Edhomu vachaitwa chishamiso, mumwe nomumwe unopfuura napo uchashamiswa, ucharidza muridzo pamusoro pamatambudziko avo ose.
49:18b.JER.049.018 Sapakutsindikirwa kweSodhoma neGomora namamwe maguta akanga ari pedo hakuna munhu uchagar amo , hakuna Mwanakomana womunhu uchavamo ari mutorwa.
49:19b.JER.049.019 Tarirai, uchauya seshumba achibva mumatenhere aJorodhani kuzorwa nohugaro hwakasimba; nokuti ndichavatizisapo pakarepo; wakatsaurwa ndiye wandichagadzapo; nokuti ndiani wakafanana neni? Ndiani uchanditarira nguva? Mufudzi ungamira pamberi pangu ndiani?
49:20b.JER.049.020 Naizvozvo chinzwai chirevo chaJehovha chaakatema pamusoro paEdhomu, nemifungo yake yaakafunga pamusoro pavagere paTemani. Zvirokwazvo vachavakwekweredza, ivo vaduku vamapoka avo; zvirokwazvo mafuro avo achashamiswa pamusoro pavo.
49:21b.JER.049.021 Nyika inodedera nokuda kwomubvumo wokuwira kwavo pasi; kuchema kuripo kunonzwika kusvikira kuGungwa Dzvuku.
49:22b.JER.049.022 Tarirai, uchakwira achibhururuka segondo, uchatambanudzira mapapiro ake kuzorwa neBhozira, nezuva iro moyo yemhare dzaEdhomu ichaita somoyo womukadzi pakurwadziwa kwake. Chirevo pamusoro peDhamasiko
49:23b.JER.049.023 Pamusoro peDhamasiko. Hamati ranyadziswa, neAripadhi, nokuti akanzwa mashoko akaipa, akanyauka; kutambudzika kuripo pagungwa, harigoni kuzorora.
49:24b.JER.049.024 Dhamasiko rapera simba, rakatendeukira kutiza, rakabatwa nokudedera; rakabatwa nokurwadziwa nokuchema somukadzi unosurumuka.
49:25b.JER.049.025 Haiwa, guta rairumbidzwa rakasiyiwa sei, iro guta romufaro wangu?
49:26b.JER.049.026 Naizvozvo majaya aro achawira pasi munzira dzaro, varwi vose vachanyarara nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
49:27b.JER.049.027 Ndichabatidza moto murusvingo rweDhamasiko, uchaparadza dzimba dzoushe dzaBhenihadhadhi. Chirevo pamusoro paKedhari neHazori
49:28b.JER.049.028 Pamusoro paKedhari napamusoro poushe hweHazori hwakakundwa naNebhukadhirezari mambo weBhabhironi. Zvanzi naJehovha, Simukai, muende kuna Kedhari, mundoparadza vanhu vokumabvazuva.
49:29b.JER.049.029 Vachatora matende avo namapoka avo amakwai, vachazvitorera micheka yavo inoremberedzwa, nemidziyo yavo yose, namakamera avo vachienda nazvo; vachadanidzira kwavari, vachiti, Zvinotyisa zviripo kumativi ose!
49:30b.JER.049.030 Tizai, endai kure, garai makadzika, imi vagere Hazori, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakarangana pamusoro penyu, wakakufungirai mano akaipa.
49:31b.JER.049.031 Simukai, muende kundorwa norudzi rwakazorora, runogara rusina hanya, ndizvo zvinotaura Jehovha; rusina masuo kana zvipfigiso, runogara rwoga.
49:32b.JER.049.032 Makamera avo achatapwa nezvipfuwo zvavo zvizhinji zvichapambwa; ndichavaparadzira kumativi ose kunobva mhepo, ivo vakaveurwa mativi evhudzi ravo, ndichavauyisira njodzi yavo ichibva kumativi ose ndizvo zvinotaura Jehovha.
49:33b.JER.049.033 Hazori huchava hugaro hwamakava, nedongo nokusingaperi; hakuna munhu ungagaramo, hakuna mwanakomana womunhu uchavamo ari mutorwa. Chirevo pamusoro paEramu
49:34b.JER.049.034 Shoko raJehovha, rakasvika kumuporofita Jeremiya pamusoro paEramu, pakutanga kwokubata ushe kwaZedhekia mambo waJudha, richiti,
49:35b.JER.049.035 Zvanzi naJehovha wehondo, Tarirai, ndichavhuna huta hwaEramu, icho chinhu chikuru chesimba ravo.
49:36b.JER.049.036 Ndichauyisira pamusoro paEramu mhepo ina dzichibva kumativi mana okudenga, ndichavaparadzira kumativi iwo mana kunobva mhepo; hakungavi norudzi rumwe kusingasviki ivo vakadzingwa vaEramu.
49:37b.JER.049.037 Ndichavhundusa Eramu pamberi pavavengi vavo napamberi pavanotsvaka kuvauraya; ndichauyisa zvakaipa pamusoro pavo, iko kutsamwa kwangu kukuru, ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichatuma munondo uvateverere kusvikira ndavapedza.
49:38b.JER.049.038 Ndichaisa chigaro changu choushe maEramu, ndiparadze mambo namachinda vabvepo ndizvo zvinotaura Jehovha.
49:39b.JER.049.039 Asi namazuva okupedzisira ndichadzosazve kutapwa kwaEramu, ndizvo zvinotaura Jehovha.
50
50:1b.JER.050.001 Shoko, rakataurwa naJehovha pamusoro peBhabhironi, napamusoro penyika yavaKaradhea nomuporofita Jeremiya.
50:2b.JER.050.002 Paridzirai pakati pamarudzi, muzvizivise, musimudze mureza,muzvizivise murege kuvanza muti Bhabhironi rakundwa , Bheri wanyadziswa, Merodhaki wavhunduswa; zvifananidzo zvavo zvanyadziswa, matanda avo avhunika.
50:3b.JER.050.003 Nokuti rudzi ruriko runobva kurutivi rwomusoro kuzorwa naro, ruchaita nyika yaro dongo, hakuna uchagaramo; vatiza, vaenda, vanhu nezvipfuwo.
50:4b.JER.050.004 Namazuva iwayo, nenguva iyo, ndizvo zvinotaura Jehovha, vana vaIsiraeri vachauya, ivo navana vaJudha pamwechete; vachafamba vachingochema, vachitsvaka Jehovha Mwari wavo.
50:5b.JER.050.005 Vachabvunza Ziyoni, vakaringira zviso zvavo ikoko, vachiti, Uyai tizviise kuna Jehovha nesungano isingaperi, isingakanganikwi.
50:6b.JER.050.006 Vanhu vangu akanga ari makwai akarashika, vafudzi vavo vakavarashisa, vakavatsausira kumakomo, vakafamba vachibva kumakomo vachienda kuzvikomo, vakakanganwa nzvimbo yavo yokuzorora.
50:7b.JER.050.007 Vose vaivawana vaivadya, navadzivisi vavo vaiti, Hatina mhosva, nokuti vakatadzira Jehovha, ihwo hugaro hwokururama, iye Jehovha, tariro yamadzibaba avo.
50:8b.JER.050.008 Tizai mubve pakati peBhabhironi, budai panyika yavaKaradhea, muve senhongo pamberi pamapoka amakwai.
50:9b.JER.050.009 Nokuti tarirai, ndichamutsira Bhabhironi nokuuyisira boka ramarudzi makuru anobva kunyika yokumusoro; vachazvigadzira kuzorwa naro, richakundwa noko; miseve yavo ichava seyemhare yakangwara, isingadzoki isina chayakabata.
50:10b.JER.050.010 Nyika yeKaradhea ichava chinhu chakapambwa; vose vanoipamba vachaguta ndizvo zvinotaura Jehovha.
50:11b.JER.050.011 Kunyange makafara, kunyange muchifarisisa, iyemi munoparadza nhaka yangu, kunyange muchikwakuka setsiru rinopura zviyo, muchirira samabhiza ane simba,
50:12b.JER.050.012 mai venyu vachanyadziswa kwazvo, ivo vakakuberekai vachakanganiswa; tarirai, vachava rudzi ruri shure kwaose, nesango, nenyika yakaoma, nerenje.
50:13b.JER.050.013 Nemhaka yokutsamwa kwaJehovha haringagarwi, asi richava dongo chose; mumwe nomumwe unopfuura napaBhabhironi uchashamiswa, ucharidza muridzo pamusoro pamatambudziko aro ose.
50:14b.JER.050.014 Muzvigadzire imi mose munofura nohuta kuzorwa neBhabhironi kumativi ose, rifurei, regai kuchengeta miseve, nokuti rakatadzira Jehovha.
50:15b.JER.050.015 Pururudzai kumativi aro ose, razvirega, shongwe dzaro dzawa, masvingo aro akoromorwa; nokuti ndiko kutsiva kwaJehovha; zvitsivei pamusoro paro, sezvarakaita muriitirewo.
50:16b.JER.050.016 Paradzai mudzvari paBhabhironi, naiye unobata nejeko panguva yokucheka; nemhaka yokutya munondo unomanikidza, mumwe nomumwe uchatendeukira kunowokwake, mumwe nomumwe uchatizira kunyika yake.
50:17b.JER.050.017 Isiraeri igwai rakadzingwa-dzingwa, shumba dzakaridzinga; pakutanga mambo -weAsiria wakamudya, zvino pakupedzisira Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakavhuna mapfupa ake.
50:18b.JER.050.018 Naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Tarirai, ndicharova mambo weBhabhironi nenyika yake, sezvandakarova mambo weAsiria.
50:19b.JER.050.019 Ndichadzosera Isiraerizve kumafuro avo, vachafura paKarimeri napaBhashani, mweya wavo uchagutiswa pazvikomo zvaEfuremu napaCireadhi.
50:20b.JER.050.020 Namazuva iwayo nenguva iyo ndizvo zvinotaura Jehovha zvakaipa zvaIsiraeri zvichatsvakwa, asi hazvingavipo, nezvivi zvaJudha, asi hazvingawanikwi; nokuti ndichakanganwira vandakasiya.
50:21b.JER.050.021 Endai mundorwa nenyika yeMerataimu, murwe nayo uye navagere Pekodhi; urayai, muparadze chose zviri shure kwavo, muite zvose zvandakakurairai ndizvo zvinotaura Jehovha.
50:22b.JER.050.022 Mubvumo wokurwa uri munyika, nowokuparadza kukuru.
50:23b.JER.050.023 Nyundo yenyika yose yagurwa-gurwa nokuvhuniwa sei! Bhabhironi rava dongo sei pakati pamarudzi!
50:24b.JER.050.024 Ndakakuteyera musungo, ukabatwawo, iwe Bhabhironi, ukasazviziva; wakawanikwa, ukabatwawo, nokuti wakarwa naJehovha.
50:25b.JER.050.025 Jehovha wakazarura chivigiro chefuma yake, akabudisa nhumbi dzokurwa dzokutsamwa kwake, nokuti Ishe Jehovha wehondo une basa raanofanira kubata panyika yavaKaradhea.
50:26b.JER.050.026 Uyai murwe nayo muchibva kumativi ose, zarurai matura aro, muite mirwi, muriparadze chose, regai kusiya chinhu charo.
50:27b.JER.050.027 Urayai nzombe dzaro dzose, ngadziburukire kundourawa. Vane nhamo, nokuti zuva ravo rasvika, iyo nguva yokurohwa kwavo.
50:28b.JER.050.028 Inzwai inzwi ravanotiza navano pukunyuka panyika yebhabhironi, kundoparidzira paZiyoni kutsiva kwaJehovha Mwari wedu, iko kutsiva kwetemberi yake.
50:29b.JER.050.029 Kokerai vafuri varwe neBhabhironi, ivo vose vanofura novuta; rikomberedzei nemisasa yenyu yokurwa, kurege kuva nomumwe unopukunyuka; muritsive parakabata napo, zvose zvarakaita iro muriitire saizvozvo nokuti rakaita manyawi pamberi paJehovha, pamberi poMutsvene waIsiraeri.
50:30b.JER.050.030 Naizvozvo majaya aro achawira pasi munzira dzaro, navarwi varo vose vachanyarara nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha.
50:31b.JER.050.031 Tarira, ndine mhosva newe, iwe wokuzvikudza, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha wehondo; nokuti zuva rako rasvika, nguva yandichakurova nayo.
50:32b.JER.050.032 Unozvikudza uchagumburwa nokuwira pasi, hakuna ungamusimudza; ini ndichabatidza moto mumaguta ake, uchapedza vose vakamupoteredza.
50:33b.JER.050.033 Zvanzi naJehovha wehondo, Vana vaIsiraeri navana vaJudha vakamanikidzwa pamwechete; vose, vakavatapa, vakavabata, vanoramba kuvaregedza.
50:34b.JER.050.034 Asi Mudzikunuri wavo une simba, Jehovha wehondo ndiro zita rake; iye uchavareverera mhaka yavo kwazvo, kuti azorodze nyika, nokushaisa vagere Bhabhironi zororo.
50:35b.JER.050.035 Munondo uri pamusoro pavaKaradhea, napamusoro pavagere Bhabhironi, napamusoro pamachinda aro, napamusoro pavachenjeri varo ndizvo zvinotaura Jehovha.
50:36b.JER.050.036 Munondo uri pamusoro pavana manyawi, vachava mapenzi; munondo uri pamusoro pemhare dzaro, vachavhunduka.
50:37b.JER.050.037 Munondo uri pamusoro pamabhiza avo, napamusoro pengoro dzavo, napamusoro pavanhu vose vakavengana mukati maro, vachava savakadzi; munondo uri pamusoro pefuma yaro, ichapambwa.
50:38b.JER.050.038 Kuoma kuri pamusoro pemvura yaro, ichapwa; nokuti inyika yemifananidzo yakavezwa, vanopengera zvifananidzo.
50:39b.JER.050.039 Naizvozvo zvikara zvamarenje zvichagaramo, pamwechete namapere, nemhou dzichagaramo; hapangazogarwi nokusingaperi, hakuna ungagaramo kusvikira kumarudzi namarudzi.
50:40b.JER.050.040 Mwari sezvaakaparadza Sodhoma neGomora namamwe maguta akanga akabatana nawo ndizvo zvinotaura Jehovha saizvozvo hakuna munhu ungagaramo hakuna mwanakomana womunhu uchavamo ari mutorwa.
50:41b.JER.050.041 Tarirai, rudzi rwavanhu runobva kurutivi rwokumusoro, rudzi rukuru namadzimambo mazhinji achamutswa abve kumigumo yenyika.
50:42b.JER.050.042 Vakabata huta nepfumo, vane hasha, havane nyasha; manzwi avo anotinhira segungwa, vakatasva mabhiza, mumwe nomumwe wakashongedzwa somurwi, kuzorwa newe, iwe mukunda weBhabhironi.
50:43b.JER.050.043 Mambo weBhabhironi wakanzwa guhu ravo, maoko ake akashaiwa simba, wabatwa nokutambudzika nokurwadziwa sokwomukadzi unosurumuka.
50:44b.JER.050.044 Tarirai, uchauya seshumba achibva kumatenhere aJorodhani kuzorwa nohugaro hwakasimba; nokuti ndichavatizisapo pakarepo; wakatsaurwa ndiye wandichagadzapo; nokuti ndiani wakafanana neni? Ndiani uchanditarira nguva? Mufudzi ungamira pamberi pangu ndiani?
50:45b.JER.050.045 Naizvozvo chinzwai chirevo chaJehovha chaakatema pamusoro peBhabhironi, nemifungo yake yaakafunga pamusoro penyika yavaKaradhea, Zvirokwazvo vachavakwekweredza, ivo vaduku vamapoka avo; zvirokwazvo mafuro avo achashamiswa pamusoro pavo.
50:46b.JER.050.046 Nyika inodedera nomubvumo wokukundwa kweBhabhironi, kuchema kunonzwika pakati pamarudzi ose.
51
51:1b.JER.051.001 Zvanzi naJehovha, Tarirai, ndichamutsira Bhabhironi navagere Rebhikamai mhepo inoparadza.
51:2b.JER.051.002 Ndichatumira Bhabhironi varudzi vacharirudza, vachabudisa zvose zviri munyika yaro, nokuti nezuva rokutambudzika vacharikomberedza kumativi ose.
51:3b.JER.051.003 Mupfuri ngaapfure nohuta hwake ani naani unopfura nohuta nounozvisimudza ane nguvo dzake dzokurwa, regai kunzwira tsitsi majaya aro, paradzai chose hondo yaro yose.
51:4b.JER.051.004 Vachawira pasi vaurawa panyika yavaKaradhea, vabayiwa munzira dzaro.
51:5b.JER.051.005 Nokuti Isiraeri naJudha havana kurashwa naMwari wavo, naJehovha wehondo, kunyange nyika yavo izere nemhosva pamberi poMutsvene waIs iraeri.
51:6b.JER.051.006 Tizai mubve mukati meBhabhironi, mumwe nomumwe aponese hupenyu hwake; regai kuparadzwa mukati mezvakaipa zvaro, nokuti inguva yokutsiva kwaJehovha, iye uchariripidzira.
51:7b.JER.051.007 Bhabhironi wakanga uri mukombe muruoko rwaJehovha, wakabatisa nyika yose; marudzi avanhu akanwa waini yawo, saka marudzi akapenga.
51:8b.JER.051.008 Bhabhironi rakawira pasi pakarepo rikaparadzwa; wungudzai pamusoro paro, torai muti webharisami kurapa kurwadziwa kwaro, zvimwe ringapora.
51:9b.JER.051.009 Taida kuporesa Bhabhironi, asi harina kupora; risiyei, mumwe nomumwe wedu aende kunyika yake, nokuti mhosva yaro yasvikira kudenga, yasimudzirwa kumakore.
51:10b.JER.051.010 Jehovha wakaratidza kururama kwedu; uyai, tiparidze paZiyoni basa raJehovha Mwari wedu.
51:11b.JER.051.011 Rodzai miseve, batisai nhovo! Jehovha wakamutsa mweya yamadzimambo avaMedhia, nokuti murangariro wake ndowokuparadza Bhabhironi, nokuti ndiko kutsiva kwaJehovha, iko kutsiva kwetemberi yake.
51:12b.JER.051.012 Simudzirai masvingo eBhabhironi mureza, simbisai varindi, isaipo nharirire, gadzirai vanovandira, nokuti Jehovha wakafunga nokuita zvaakataura pamusoro pavagere Bhabhironi.
51:13b.JER.051.013 Iwe ugere pamvura zhinji, une fuma zhinji, kuguma kwako kwasvika, icho chiyero chezvawakawana nokunyengera.
51:14b.JER.051.014 Jehovha wehondo wakapika naiye amene, achiti, Zvirokwazvo ndichakuzadza navanhu semhashu, ivo vachakupururudzira.
51:15b.JER.051.015 Ndiye wakaita nyika nesimba rake, wakateya nyika nohuchenjeri hwake, wakatatamura denga rose nenjere dzake.
51:16b.JER.051.016 Kana achibudisa inzwi rake, kunomubvumo wemvura zhinji kudenga; unokwidza makore pamigumo yenyika, unoita mheni kuuyisa mvura, unobudisa mhepo panovigwa fuma yake.
51:17b.JER.051.017 Munhu mumwe nomumwe wava usina njere, haane zivo; mupfuri mumwe nomumwe wendarama unonyadziswa nechifananidzo chake chaakaveza, nokuti chifananidzo chaakaumba, ndechenhema; hakuna mweya mazviri.
51:18b.JER.051.018 Hazvina maturo, ibasa rinonyengera; panguva yokurohwa kwazvo zvichapera.
51:19b.JER.051.019 Mugove waJakobho haufanani naizvozvi, nokuti ndiye muumbi wazvose; Isiraeri ndirwo rudzi rwenhaka yake; Jehovha wehondo ndiro zita rake.
51:20b.JER.051.020 Iwe uri nyundo yangu nenhumbi dzangu dzokurwa; newe ndichaputsanya marudzi avanhu newe ndichaparadza ushe;
51:21b.JER.051.021 newe ndichaputsanya bhiza nomutasvi waro; newe ndichaputsanya ngoro nounofamba nayo;
51:22b.JER.051.022 newe ndichaputsanya murume nomukadzi; newe ndichaputsanya mutana nomuduku; newe ndichaputsanya mujaya nemhandara;
51:23b.JER.051.023 newe ndichaputsanya murimi nenzombe dzake mbiri; newe ndichaputsanya vabati navakuru.
51:24b.JER.051.024 Ndicharipidzira Bhabhironi navose vagere Karadhea zvakaipa zvavo zvose zvavakaita Ziyoni pamberi penyu ndizvo zvinotaura Jehovha.
51:25b.JER.051.025 Tarira, ndine mhosva newe, iwe gomo rokuparadza, rinoparadza nyika yose ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichatambanudzira ruoko rwangu kwauri, ndichakukungurusa pamabwe, ndichakuita gomo rakatsva.
51:26b.JER.051.026 Havangatori kwauri ibwe rekona, kana ibwe renheyo; asi uchava dongo nokusingaperi, ndizvo zvinotaura Jehovha.
51:27b.JER.051.027 Simudzai mureza panyika, ridzai hwamanda pakati pamarudzi, gadzirai marudzi kuzorwa naro, kokerai ushe hweArarati neMini neAshikenazi kuzorwa naro, gadzai mukuru wehondo kuzorwa naro, uyisai mabhiza semhashu dzinoparadza.
51:28b.JER.051.028 Gadzirai marudzi kuzorwa naro, iwo madzimambo avaMedhia, navabati vavo, navakuru vavo vose, nenyika yose yavakabata.
51:29b.JER.051.029 Nyika inodedera nokurwadziwa; nokuti zvakafunga Jehovha kuitira Bhabhironi zvakasimba, kuti aite nyika yeBhabhironi dongo, isina unogaramo.
51:30b.JER.051.030 Mhare dzeBhabhironi dzarega kurwa, vakarambira munhare dzavo, simba ravo rakapera, vava savakadzi; vakapisa dzimba dzaro, zvipfigiso zvaro zvakavhuniwa.
51:31b.JER.051.031 Imwe nhume ichamhanya kundosangana neimwe, mumwe wakatumwa kundosangana nomumwe, kuzivisa mambo weBhabhironi kuti guta rake rakundwa kumativi ose.
51:32b.JER.051.032 Uye kuti mazambuko abatwa, kuti mapani eshanga apiswa nomoto, kuti varwi vavhunduswa.
51:33b.JER.051.033 Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Mukunda weBhabhironi wakaita seburiro nenguva yokupura; kwasara nguva duku, iye ndokusvikirwa nenguva yokucheka.
51:34b.JER.051.034 Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wandidya, wandipwanya, wandiita mudziyo usina chinhu wandimedza seshato, razadza zidumbu raro nezvinozipa zvangu, wandidzinga.
51:35b.JER.051.035 Ugere Ziyoni uchati, Zvakaipa zvandakaitirwa ini nenyama yangu ngazvive pamusoro peBhabhironi; Jerusaremu richati, Ropa rangu ngarive pamusoro pavagere Karadhea.
51:36b.JER.051.036 Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarira, ndichakureverera mhaka yako, ndichakutsiva; ndichapwisa gungwa raro, ndichaomesa tsime raro.
51:37b.JER.051.037 Bhabhironi richaitwa mirwi yamabwe, hugaro hwamakava, chinhu chinoshamisa, chinoridzirwa muridzo, pasina unogaramo.
51:38b.JER.051.038 Vachaomba pamwechete savana veshumba, vachaganya savana veshumba.
51:39b.JER.051.039 Kana vamutswa moyo ndichavaitira mutambo, ndichavabatisa newaini, kuti vafare, vavate hope dzisingaperi, varege kuzomukazve ndizvo zvinotaura Jehovha.
51:40b.JER.051.040 Ndichavaburusira kwavanondobayiwa samakwaiana, samakondobwe pamwechete nenhongo.
51:41b.JER.051.041 Sheshaki rakundwa sei! Guta rairumbidzwa nenyika yose rapindwa sei! Bhabhironi rava dongo sei pakati pamarudzi!
51:42b.JER.051.042 Gungwa rakwira rasvika Bhabhironi, rafukidzwa namafungu aro mazhinji.
51:43b.JER.051.043 Maguta aro ava matongo, nyika yakaoma nerenje, nenyika musingagari munhu, hakuna Mwanakomana womunhu unopfuura napo.
51:44b.JER.051.044 Ndichatonga Bheri paBhabhironi, ndichabudisa mumuromo make chaakanga amedza, marudzi avanhu haachazovangiri kwariri; zvirokwazvo rusvingo rwaBhabhironi ruchawa.
51:45b.JER.051.045 Imi vanhu vangu, budai mukati maro, muzviponese mumwe nomumwe pakutsamwa kukuru kwaJehovha.
51:46b.JER.051.046 moyo yenyu irege kuora, musatya guhuzve nerimwe gore shure kwaizvozvo; panyika vachaitirana simba, mubati mumwe achirwa nomumwe.
51:47b.JER.051.047 Naizvozvo tarirai, mazuva anouya andichatonga mifananidzo yakavezwa yaBhabhironi; nyika yaro yose ichanyadziswa, vakaurawa varo vose vachawira pasi mukati maro.
51:48b.JER.051.048 Ipapo denga nenyika nezvose zviri mukati mazvo zvichaimba nomufaro pamusoro peBhabhironi, nokuti vaparadzi vachauya kwariri vachibva kurutivi rwokumusoro ndizvo zvinotaura Jehovha.
51:49b.JER.051.049 Vakaurawa valsiraeri, Bhabhironi rinofanira kuwawo, sezvakawira pasi paBhabhironi vakaurawa venyika yose.
51:50b.JER.051.050 Imi makapukunyuka pamunondo, endai, musamira; rangarirai Jehovha muri kure, fungai Jerusaremu pamoyo yenyu.
51:51b.JER.051.051 Takanyadziswa, nokuti takanzwa kushoorwa, kunyara kwakafukidza zviso zvedu, nokuti vatorwa vakapinda munzvimbo tsvene dzeimba yaJehovha.
51:52b.JER.051.052 Naizvozvo, tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha mazuva anouya andichatonga mifananidzo yaro yakavezwa; vakakuvadzwa vachagomera kwose panyika yaro.
51:53b.JER.051.053 Kunyange Bhabhironi rikakwira kudenga, kunyange rikasimbisa pakakwirira pane simba raro, kunyange zvakadaro vaparadzi vachabva kwandiri vachiendako, ndizvo zvinotaura Jehovha.
51:54b.JER.051.054 Inzwai inzwi rokuchema rinobva Bhabhironi, nerokuparadzwa kukuru rinobva panyika yavaKaradhea!
51:55b.JER.051.055 Nokuti Jehovha unoparadza Bhabhironi, uchanyaradzamo mubvumo mukuru; mafungu avo anotinhira semvura zhinji, mubvumo wamanzwi avo anonzwika.
51:56b.JER.051.056 Nokuti muparadzi wasvika kwariri, iko Bhabhironi, mhare dzaro dzakundwa, huta hwavo hwavhuniwa-vhuniwa; nokuti Jehovha ndiMwari wokutsiva, ucharipidzira zvirokwazvo.
51:57b.JER.051.057 Ndichabatisa newaini machinda aro navakachenjera varo, vabati varo navakuru varo, nemhare dzaro, vachavata hope dzisingaperi, havangazomuki ndizvo zvinotaura Mambo, une zita rinonzi Jehovha wehondo.
51:58b.JER.051.058 Zvanzi naJehovha wehondo, Masvingo akafara eBhabhironi achakoromorwa chose, namasuo aro marefu achapiswa nomoto; vanhu vachabatira zvisina maturo, namarudzi achabatira moto; vachaneta.
51:59b.JER.051.059 Ndiro shoko, rakarairwa Seraia mwanakomana waNeria, mwanakomana waMaseia, nomuporofita Jeremiya, nguva yaakaenda Bhabhironi naZedhekia mambo waJudha negore rechina rokubata kwake ushe. Zvino Seraia wakanga ari murairi mukuru parwendo.
51:60b.JER.051.060 Jeremiya akanyora mubhuku zvakaipa zvose zvaifanira kuwira Bhabhironi, iwo mashoko ose akanyorwa pamusoro peBhabhironi.
51:61b.JER.051.061 Jeremiya akati kuna Seraia, Kana wasvika Bhabhironi rangarira kuti urave mashoko awa ose.
51:62b.JER.051.062 Uti, Haiwa Jehovha, makataura pamusoro penzvimbo ino kuti muchai,paradza, kuti kusava nounogaramo, kana munhu kana zvipfuwo, asi kuti richava dongo nokusingaperi.
51:63b.JER.051.063 Zvino kana wapedza kurava bhuku iyi, unofanira kusungira ibwe pairi, ndokuikandira mukati morwizi rwaYufuratesi;
51:64b.JER.051.064 uchiti, Saizvozvo Bhabhironi richanyura, haringazobudizve, nokuda kwezvakaipa zvandichauyisa pamusoro paro; vachaneta. Ndipo panoguma mashoko aJeremiya.
52
52:1b.JER.052.001 Zedhekia wakatanga kubata ushe ava namakore ana makumi maviri nerimwe, akabata ushe paJerusaremu makore ane gumi nerimwe; zita ramai vake rakanga riri Hamutari mukunda waJeremiya weRibhina.
52:2b.JER.052.002 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha netsika dzose dzaJehoiakimu.
52:3b.JER.052.003 Nokuti izvozvo zvakaitirwa Jerusaremu naJudha nokuda kwokutsamwa kwaJehovha, kusvikira avarashira kure kwaari; Zedhikia akamukira mambo weBhabhironi.
52:4b.JER.052.004 Zvino negore repfumbamwe rokubata kwake ushe, nomwedzi wegumi, nezuva regumi romwedzi, Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi akasvika, iye nehondo yake yose, kuzorwa neJerusaremu, vakadzika matende avopo, vakarikomba nenhare.
52:5b.JER.052.005 Naizvozvo guta rakakombwa kusvikira pagore regumi nerimwe ramambo Zedhekia.
52:6b.JER.052.006 Zvino nomwedzi wechina, nezuva repfumbamwe romwedzi, nzara ikanyanya kwazvo paguta, vanhu venyika vakashaiwa zvokudya.
52:7b.JER.052.007 Vakaputsa rusvingo rweguta, vanhu vose vehondo vakatiza, vakabuda muguta vusiku nenzira yesuo, pakati pamadziro maviri aiva pamunda wamambo; (zvino vaKaradhea vakanga vakakomba guta); vakaenda nenzira yokurenje.
52:8b.JER.052.008 Asi hondo yavaKaradhea yakatevera mambo, vakabata Zedhekia pamapani eJeriko, hondo yake yose ikapararira ikabva kwaari.
52:9b.JER.052.009 Zvino vakabata mambo, vakaenda naye kuna mambo weBhabhironi paRibhira munyika yeHamati, iye akamutongerapo.
52:10b.JER.052.010 Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekia iye achizviona, akaurayawo machinda ose aJudha paRibhira.
52:11b.JER.052.011 Akatumbura meso aZedhekia, mambo weBhabhironi akamusunga namatare, akamuisa Bhabhironi, akamusunga mutorongo kusvikira pazuva rokufa kwake.
52:12b.JER.052.012 Zvino nomwedzi wechishanu, nezuva regumi romwedzi, negore regumi namapfumbamwe ramambo Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru wavarindi, waimira pamberi pamambo weBhabhironi, wakasvika Jerusaremu.
52:13b.JER.052.013 Akapisa imba yaJehovha, neimba yamambo; akapisawo dzimba dzose dzeJerusaremu, dzimba dzose huru, nomoto.
52:14b.JER.052.014 Hondo yose yavaKaradhea, yakanga inomukuru wavarindi, ikaputsa masvingo ose eJerusaremu kunhivi dzose.
52:15b.JER.052.015 Ipapo Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akatapa vamwe varombo chaivo vavanhu, navamwe vanhu vakanga vasara muguta, navakanga vanyengera vakaenda kuna mambo weBhabhironi, navakanga vasara kuvazhinji.
52:16b.JER.052.016 Asi Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akasiya vamwe varombo chaivo venyika, kuti vave varimi veminda yemizambiringa nemimwe minda.
52:17b.JER.052.017 VaKaradhea vakaputsanya mbiru dzendarira dzakanga dziri mumba maJehovha, nezvingoro, nedziva rendarira, zvakanga zviri mumba maJehovha, vakaenda nendarira yazvo yose Bhabhironi.
52:18b.JER.052.018 Vakatorawo hari nefoshoro nembato dzemwenje, nembiya, nezvirongo, nenhumbi dzose dzendarira dzavaibata nadzo.
52:19b.JER.052.019 Nemikombe, nezvaenga zvomoto, nembiya, nehari, nezvitimiko zvemwenje, nezvirongo, nemidziyo, zvose zvakanga zviri zvendarama nezvose zvakanga zviri zvesirivha, mukuru wavarindi akazvitora.
52:20b.JER.052.020 Mbiru mbiri, nedziva rimwe, nehando gumi nembiri dzendarira dzaiva pasi pezvingoro, zvakanga zvaitirwa imba yaJehovha naSoromoni, kurema kwendarira yenhumbi idzi dzose kwakanga kusingagoni kuyerwa.
52:21b.JER.052.021 Zvino kana dziri mbiru, kureba kwembiru imwe kwakasvika makubhiti ane gumi namasere; pakuyera rwonzi rwakasvika makubhiti ane gumi namaviri rwakarupoteredza; pakukora yakasvika minwe mina; mukati makanga munemhango.
52:22b.JER.052.022 Yakanga inomusoro wendarira pamusoro payo, kureba kwomusoro mumwe kwakasvika makubhiti mashanu, uye kwakanga kune zvakarukwa namatamba zvaipoteredza musoro, zvose zviri zvendarira; nembiru yechipiri yakanga yakafanana neyiyi, namatambawo
52:23b.JER.052.023 Pamativi pakanga pana matamba makumi mapfumbamwe namatanhatu, matamba ose akasvika zana pane zvakarukwa pamativi ose.
52:24b.JER.052.024 Mukuru wavarindi akatora Seraia mupirisiti mukuru, naZefaniya mupirisiti wechipiri, navarindi vatatu vomukova;
52:25b.JER.052.025 napaguta akatora mukuru waitarira varume vehondo, navarume vanomwe vaisionana namambo, vaakawana muguta, nomunyori womukuru wehondo, waiunganidza vanhu venyika, navarume vana makumi matanhatu vavanhu venyika, vaakawana mukati meguta.
52:26b.JER.052.026 Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akavatora, akavaisa kuna mambo weBhabhironi paRibhira.
52:27b.JER.052.027 Mambo weBhabhironi akavabaya, akavauraya paRibhira, panyika yeHamati. Naizvozvo vaJudha vakatapwa panyika yavo.
52:28b.JER.052.028 Ndivo vanhu vakatapwa naNebhukadhirezari; negore rechinomwe vaJudha vane zviuru zvitatu namakumi maviri navatatu;
52:29b.JER.052.029 negore regumi namasere raNebhukadhirezari wakatapa paJerusaremu vanhu vana mazana masere namakumi matatu navaviri, akaenda navo;
52:30b.JER.052.030 negore ramakumi maviri namatatu raNebhukadhirezari, Nebhuzaradhani mukuru wavarindi wakatapa kuvaJudha vanhu vana mazana manomwe namakumi mana navashanu; vanhu vose vaiva zviuru zvina namazana matatu.
52:31b.JER.052.031 Zvino negore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoiakini mambo waJudha, nomwedzi wegumi nemiviri, nezuva ramakumi maviri namashanu romwedzi, Evhirimerodhaki mambo weBhabhironi negore rokutanga rokubata kwake ushe, akakudza musoro waJehoiakini mambo wavaJudha, akamubvisa mutorongo;
52:32b.JER.052.032 akataura naye nomoyo munyoro, akakudza chigaro chake choushe kukunda zvigaro zvoushe zvamadzimambo akanga anaye paBhabhironi,
52:33b.JER.052.033 akashandura nguvo dzake dzokusungwa. Jehoiakini akaramba achidya zvokudya pamberi pake mazuva ose ohupenyu hwake.
52:34b.JER.052.034 Kana zviri zvokurarama nazvo, waisipiwa zvokurarama nazvo namambo weBhabhironi nguva dzose, zuva rimwe nerimwe mugove waro, kusvikira zuva rokufa kwake, namazuva ose oupenyu hwake
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Jeremiah (Shona). Jeremiah (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C59C-A