Isaiah (Shona)
1
1:1b.ISA.001.001 Zvakaonekwa naIsaya, mwanakomana waAmozi, zvaakaona pamusoro paJudha neJerusaremu, pamazuva aUziya, naJotamu, naAhazi, naHezekia, madzimambo avaJudha.
1:2b.ISA.001.002 Inzwa denga rose, teerera iwe nyika, nokuti Jehovha akataura, achiti, Ndakarera nokukurisa vana, asi vakandimukira.
1:3b.ISA.001.003 Nzombe inoziva muridzi wayo, nembongoro inoziva chidyiro chavatenzi vayo; asi Isiraeri havazivi, vanhu vangu havarangariri.
1:4b.ISA.001.004 Haiwa, rudzi runotadza, vanhu vakaremerwa nezvakaipa, vana vavaiti vezvakaipa, vana vanoita zvakaora! Vakasiya Jehovha, vakashora Mutsvene waIsiraeri, vadzokera shure.
1:5b.ISA.001.005 Munoda kugara muchiroverweiko, zvamunongoramba muchimukira Jehovha? Musoro wose unorwadza, nomoyo wose waziya.
1:6b.ISA.001.006 Kubvira parutsoka kusvikira kumusoro hapana pakukutu pauri; asi maronda, napakakuvara, namavanga matsva, haana kusvinwa, haana kuputirwa, kana kunyoroveswa namafuta.
1:7b.ISA.001.007 Nyika yenyu yaparadzwa, maguta enyu apiswa nomoto, nyika yenyu yopedzwa navatorwa imi muripo, yaparadzwa, sezvinoparadza vatorwa.
1:8b.ISA.001.008 Mukunda weZiyoni wasiyiwa sedumba mumunda wemizambiringa, sechirindo mumunda wamagaka, seguta rakakombwa nehondo.
1:9b.ISA.001.009 Dai Jehovha wehondo asina kutisiyira vakasara vashomashoma, tingadai takafanana neSodhoma, takaita seGomora.
1:10b.ISA.001.010 Inzwai shoko raJehovha, imi vabati veSodhoma; teererai murayiro waMwari wedu, imi vanhu veGomora.
1:11b.ISA.001.011 Zvanzi naJehovha, Zvibayiro zvenyu zvizhinji zvinondibatsirei? Ndagutisa zvipiriso zvenyu zvinopiswa zvamakondobwe, namafuta ezvipfuwo zvakakodzwa; handifadzwi neropa renzombe, kana ramakwayana, kana renhongo.
1:12b.ISA.001.012 Kana muchiuya kuzondiona, ndianiko anoreva izvozvo pamaoko enyu, kuti mutsike mavazhe angu?
1:13b.ISA.001.013 Musazouyazve nezvipo zvisina maturo; zvinonhuwira zvinondinyangadza; nguva dzokugara kwomwedzi nedzamaSabata, nedzokukokera ungano, handizvidi; zvakaipa, kunyange neungano tsvene.
1:14b.ISA.001.014 Nguva dzenyu dzokugara kwomwedzi nemitambo yenyu zvinovengwa nomweya wangu; zvinondinetsa; ndaneta nokutambudzika nazvo.
1:15b.ISA.001.015 Kana muchitambanudza maoko enyu, ndichakuvanzirai chiso changu; zvirokwazvo, kana muchiwanza minyengetero, handinganzwi; maoko enyu azere neropa
1:16b.ISA.001.016 Shambai; muzvinatse; bvisai zvakaipa zvamabasa enyu pamberi pangu; regai kuramba muchiita zvakaipa;
1:17b.ISA.001.017 dzidzai kuita zvakanaka; tsvakai kururamisira, batsirai vanomanikidzwa, ruramisirai nherera, mureverere chirikadzi.
1:18b.ISA.001.018 Chiuyai zvino, titaurirane, ndizvo zvinotaura Jehovha; kunyange zvivi zvenyu zvikaita somucheka mutsvuku, zvichachena sechando; kunyange zviri zvishava somuti mushava, zvichaita samakushe amakwai.
1:19b.ISA.001.019 Kana muchida, muchiteerera, muchadya zvakanaka zvenyika;
1:20b.ISA.001.020 asi kana muchiramba, muchindimukira, muchaparadzwa nomunondo; nokuti muromo waJehovha wakataura izvozvo.
1:21b.ISA.001.021 Haiwa, guta rakatendeka rashanduka chifeve sei! Iro rakanga rizere nokururamisa! Kururama kwaigara mariri, asi zvino mogara vaurayi.
1:22b.ISA.001.022 Sirivha yako ava marara, waini yako yakavhenganiswa nemvura.
1:23b.ISA.001.023 Machinda ako akamukira Jehovha, ishamwari dzembavha; mumwe nomumwe anoda fufuro, anovinga mibairo; havaruramisiri nherera, mhaka yechirikadzi haitambwi navo.
1:24b.ISA.001.024 Saka zvanzi naShe, Jehovha wehondo, iye Wamasimba wavaIsiraeri, Ndichapedza shungu dzangu pamusoro pavadzivisi vangu, ndichazvitsivira pamusoro pavavengi vangu;
1:25b.ISA.001.025 ndichatambanudza ruoko rwangu kwauri, ndinatse chose marara ako, ndichabvisa tini yako.
1:26b.ISA.001.026 Ndichadzosera vatongi vako vave sapakutanga, namakurukota ako sapakutanga; shure kwaizvozvo uchanzi Guta rokururama, musha wakatendeka.
1:27b.ISA.001.027 Ziyoni richadzikunurwa nokururamiswa, navanodzoka mariri nokururama.
1:28b.ISA.001.028 Asi vadariki navatadzi vachaparadzwa pamwechete, vanosiya Jehovha, vachapedzwa.
1:29b.ISA.001.029 Nokuti vachanyadziswa pamusoro pemiti yemiouki yamaifarira, muchava nenyadzi pamusoro peminda yamakasanangura.
1:30b.ISA.001.030 Nokuti muchava somouki wasvava mashizha, uye somunda usine mvura.
1:31b.ISA.001.031 Ane simba achava sorwonzi, nebasa rake sesasaradzi dzomoto; zvose zviviri zvichatsva pamwechete, hakuna angazvidzimura.
2
2:1b.ISA.002.001 Shoko rakaonekwa naIsaya, mwa nakomana waAmozi, pamusoro paJudha neJerusaremu.
2:2b.ISA.002.002 Pamazuva okupedzisira zvichaitika kuti gomo reimba yaJehovha richasimbiswa pamusoro pamakomo, richakwiridzwa kupfuura zvikomo; marudzi ose achamhanyira kwariri.
2:3b.ISA.002.003 Vanhu vazhinji vachaendako vachiti, Uyai, ngatikwire kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; iye achatidzidzisa nzira dzake, tichafamba mumakwara ake; nokuti murayiro uchabva paZiyoni, shoko raJehovha richabva Jerusaremu.
2:4b.ISA.002.004 Iye achatonga pakati pamarudzi, nokururamisira vanhu vazhinji; vachapfura minondo yavo vachiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa. Valsiraeri ngavadzokere kuna Jehovha, varase zvifananidzo zvavo
2:5b.ISA.002.005 Iwe imba yaJakobho, uyai tifambe muchiedza chaJehovha.
2:6b.ISA.002.006 Nokuti imi Jehovha makasiya vanhu venyu veimba yaJakobho, nokuti vazere netsika dzinobva mabvazuva, vanouka savaFirisitia, vanobatana maoko navana vavatorwa.
2:7b.ISA.002.007 Nyika yavo izere nesirivha nendarama, fuma yavo haiperi; nyika yavo izerewo namabhiza, nengoro dzavo dzokurwa hadziperi.
2:8b.ISA.002.008 Nyika yavo izerewo nezvifananidzo; vanonamata zvakaitwa namaoko avo, izvo zvakaitwa neminwe yavo.
2:9b.ISA.002.009 Vanhu vaduku vakakotamiswa, navakuru vakaninipiswa; saka musavakanganwira.
2:10b.ISA.002.010 Pinda mudombo uvande,muguruva, nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokuda kwokubwinya kwoumambo hwake.
2:11b.ISA.002.011 Kuzvikudza kwavanhu kuchaderedzwa, namanyawi avanhu achaninipiswa, Jehovha oga achakudzwa nezuva iro.
2:12b.ISA.002.012 Nokuti Jehovha wehondo ane zuva rake pamusoro pavose vanodada navanozvikudza, navana manyawi; vachaderedzwa;
2:13b.ISA.002.013 napamusoro pemisidhari yose yeRebhanoni yakareba yakakwirira; napamusoro pamiouki yose yeBhashani,
2:14b.ISA.002.014 napamusoro pamakomo ose marefu, napamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira,
2:15b.ISA.002.015 napamusoro peshongwe dzose refu, napamusoro pamasvingo ose akasimbiswa,
2:16b.ISA.002.016 napamusoro pezvikepe zvose zveTarishishi, napamusoro pezvifananidzo zvose zvinofadza.
2:17b.ISA.002.017 Ukuru hwavanhu huchakotamiswa, nokuzvikudza kwavanhu kuchaderedzwa; Jehovha oga achakudzwa nezuva iro.
2:18b.ISA.002.018 Zvifananidzo zvichapera chose.
2:19b.ISA.002.019 Vanhu vachapinda mumapako amatombo, nomumakomba muvhu, nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokuda kwokubwinya kwoumambo hwake, kana achisimuka kuzunungusa nyika nesimba.
2:20b.ISA.002.020 Nezuva iro vanhu vacharasa zvifananidzo zvavo zvesirivha nezvifananidzo zvavo zvendarama, zvavakazviitira kuti vazvinamate, vachizviisa kunhuta nezviremwaremwa;
2:21b.ISA.002.021 vapinde mumapako amatombo, nomumikaha yamatombo makuru, nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokuda kwokubwinya kwoumambo hwake, kana achisimuka kuzunungusa nyika nesimba.
2:22b.ISA.002.022 Regai munhu, anokufema mumhino dzake; nokuti anobatsireiko?
3
3:1b.ISA.003.001 Nokuti tarirai, Ishe, Jehovha wehondo anotorera Jerusaremu naJudha mutsigiro nomudonzvo, mutsigiro wose wezvokudya, nomutsigiro wose wemvura;
3:2b.ISA.003.002 munhu wemhare, nomunhu wehondo; mutongi, nomuporofita, nomuvuki, nomukuru;
3:3b.ISA.003.003 mukuru wamakumi mashanu, noanokudzwa, namakurukota, nemhizha dzakachenjera, nomuvuki anoziva.
3:4b.ISA.003.004 Ndichavapa vanana ave machinda avo, vachabatwa navacheche.
3:5b.ISA.003.005 Vanhu vachamanikidzwa, mumwe achimanikidza mumwe, nomumwe nomumwe nowokwake; mwana achava namanyawi kuna vakuru, nowakazvidzwa kunoanokudzwa.
3:6b.ISA.003.006 Musi uyo munhu achabata munununa wake mumba mababa vake, achiti, Iwe une nguvo, chiva mutongi wedu; kuparadzwa uku ngakugadzirwe noruoko rwako.
3:7b.ISA.003.007 Zvino nezuva iro achadanidzira, achiti, Handidi kuva nanga, nokuti mumba mangu hamune zvokudya nezvokufuka; musandiita mutongi wavanhu.
3:8b.ISA.003.008 Nokuti Jerusaremu raparadzwa, Judha wawa; nokuti marimi avo namabasa avo anopesana naJehovha, kutsamwisa meso ake anokubwinya.
3:9b.ISA.003.009 Zvinoonekwa paziso ravo zvinovapupurira; zvivi zvavo vanozvibudisa pachena seSodhoma; havazvivanzi. Mweya yavo ine nhamo, nokuti vakazviitira zvakaipa.
3:10b.ISA.003.010 Iti pamusoro powakarurama, kuti achava nomufaro; nokuti vachadya zvibereko zvamabasa avo.
3:11b.ISA.003.011 Wakaipa ane nhamo ! Iye haangavi nomufaro, nokuti achapiwa mubayiro wamaoko ake.
3:12b.ISA.003.012 Kana vari vanhu vangu, vana ndivo vamanikidzi vavo, vakadzi vanovabata ushe. Haiwa, vanhu vangu, vatungamiriri venyu vanokutadzisai, ndivo vanoparadza nzira dzamaifanira kufamba nadzo.
3:13b.ISA.003.013 Jehovha asimuka kutamba mhaka; amire kuti atonge vanhu.
3:14b.ISA.003.014 Jehovha achatonga vakuru vavanhu vake namachinda avo, achiti, Ndimi mapedza munda wemizambiringa; zvakapambwa zvavarombo zviri mudzimba dzenyu.
3:15b.ISA.003.015 Munoiteiko zvamunopwanya vanhu vangu, muchikuya zviso zvavarombo? Ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha wehondo.
3:16b.ISA.003.016 Uyezve Jehovha akati, Vakunda veZiyoni zvavana manyawi, vachifamba nemitsipa yakati tasa, vachiita mesomeso, vachifamba vachinzenzeta, zviri pamakumbo avo zvichiti ngwerengwere,
3:17b.ISA.003.017 naizvozvo Ishe acharova nhongonya dzemisoro yavakunda vaZiyoni negwenyu-kwenyu, Jehovha achafukura miviri yavo.
3:18b.ISA.003.018 Nezuva iro Ishe achabvisa ukomba hwamakumbo avo, nezvizuva nezvimwedzi;
3:19b.ISA.003.019 nezvinoremberedzwa, noungetani hwamaoko, nezvifukidzo;
3:20b.ISA.003.020 nezvishongo zvomusoro, noungetani hwamakumbo, nezvisungo, nezvitende zvezvinonhuwira, namazango;
3:21b.ISA.003.021 nezvimhete, noukomba hwemhino;
3:22b.ISA.003.022 nenguvo dzomutambo, nezvijasi, nezvijari, nezvikwama;
3:23b.ISA.003.023 nezviwoni-woni zvamaoko, nomucheka wakaisvonakal nemicheka yomusoro, nezvifukidzo zvameso.
3:24b.ISA.003.024 Zvino zvichaitika kuti panzvimbo yezvinonhuwira pachava nezvinonhuwa; panzvimbo yevhudzi rakarukwa zvakanaka, pachava nemhanza; panzvimbo yenguvo yakaisvonaka, pachava nechisimiro chegudza; nokupiswa kwouranda panzvimbo yokunaka.
3:25b.ISA.003.025 Varume venyu vachaparadzwa nomunondo, nemhare dzenyu pakurwa.
3:26b.ISA.003.026 Masuo aro achachema nokurira; richaitwa dongo ndokugara pasi.
4
4:1b.ISA.004.001 Nezuva iro vakadzi vanomwe vachabata murume mumwe, vachiti, Tichadya zvokudya zvedu, tichafuka zvokufuka zvedu; tinongoda kudanwa zita rako bedzi; bvisa kunyadzwa kwedu.
4:2b.ISA.004.002 Nezuva iro bukira raJehovha richanaka nokubwinya, uye zvibereko zvenyika zvichava zvakaisvonaka nezvinorumbidzwa kuna vakapukunyuka valsiraeri.
4:3b.ISA.004.003 Vakasiyiwa paZiyoni, navakasara paJerusaremu, ivo vachanzi vatsvene, ani naani akanyorwa pakati pavapenyu muJerusaremu;
4:4b.ISA.004.004 kana Ishe ashambidza tsvina yavakunda veZiyoni, anatsa ropa reJerusaremu achiribvisa mukati maro, nomweya wokururamisa uye nomweya wokupisa.
4:5b.ISA.004.005 Zvino Jehovha achasvika pamusoro peimba imwe neimwe pagomo reZiyoni, napamusoro peungano dzaro, gore noutsi masikati, nokupenya kwomoto unopfuta usiku; nokuti pachava nechitaviridzo pamusoro pokubwinya kwose.
4:6b.ISA.004.006 Kuchavapo netende, richava mumvuri masikati kana zuva richipisa, noutiziro nechivando kana pane dutu nemvura.
5
5:1b.ISA.005.001 Ngandiimbire mudiwa wangu rwiyo rwomudiwa wangu pamusoro pomunda wake wemizambiringa. Mudiwa wangu waiva nomunda wemizambiringa pachikomo chakaorera;
5:2b.ISA.005.002 akautimba, akabvisa mabwe awo ose, akasimamo mizambiringa yakaisvonaka, akavaka shongwe mukati mawo, ndokucherawo chisviniro mukati mawo; zvino akatarira kuti ubereke mazambiringa, asi wakabereka mazambiringa ebundo.
5:3b.ISA.005.003 Zvino imi mugere Jerusaremu navarume vaJudha, ndinokumbira kuti motonge pakati pangu nomunda wangu wemizambiringa.
5:4b.ISA.005.004 Chinyiko chaifanira kuitirwa munda wangu wemizambiringa chandisina kuuitira? Zvino ndichitarira kuti uchabereka mazambiringa, wakagoberekerei mazambiringa ebundo?
5:5b.ISA.005.005 Zvino ndichakuudzai zvandichaitira munda wangu wemizambiringa, Ndichabvisa ruzhowa rwawo, udyiwe; ndichaputsa rusvingo rwawo, utsikwe;
5:6b.ISA.005.006 ndichauparadza; haungarangurwi, kana kurimwa; asi uchamera minzwa norukato; ndicharayira makore, kuti arege kunayisa mvura pamusoro pawo.
5:7b.ISA.005.007 Nokuti munda wemizambiringa waJehovha wehondo ndiyo imba yaIsiraeri, varume vaJudha muti wake unomufadza; zvino akatsvaka kwavari kururamisira, asi tarira, akawana kumanikidza, akatsvaka kururama, asi tarira, akawana kuchema.
5:8b.ISA.005.008 Vane nhamo vanowedzera dzimba nedzimba, vanobatanidza minda neminda, kusvikira pasina nzvimbo, kusvikira imi mogara muri moga panyika.
5:9b.ISA.005.009 Jehovha wehondo anotaura munzeve dzangu, achiti, Zvirokwazvo, dzimba zhinji dzichava matongo, dzimba huru nedzakanaka dzichashayiwa vanogaramo.
5:10b.ISA.005.010 Nokuti maeka ane gumi emizambiringa achabereka bati rimwechete, nehomeri rembeu richabereka efa imwechete.
5:11b.ISA.005.011 Vane nhamo vanomuka mangwanani kundotsvaka doro rinobata, vanoswerera kusvikira usiku, kusvikira vapengeswa naro.
5:12b.ISA.005.012 Rudimbwa, nembira, nengoma, nenyere, newaini zviripo pamitambo yavo; asi havana hanya nebasa raJehovha, havarangariri zvakaitwa namaoko ake.
5:13b.ISA.005.013 Saka vanhu vangu vakatapwa nokushayiwa zivo; vakakudzwa pakati pavo vanoziya nenzara, vazhinji vavo vanofa nenyota.
5:14b.ISA.005.014 Saka Sheori rakawedzera kukara kwaro nokushamisa muromo waro zvikuru; vakakudzwa vavo, navazhinji vavo, navanozvikudza vavo, noanofara pakati pavo, vanoburukiramo.
5:15b.ISA.005.015 Vanhu vaduku vakakotamiswa, navakuru vakaninipiswa, nameso avanozvikudza akaninipiswa.
5:16b.ISA.005.016 Asi Jehovha wehondo achakudzwa pakutonga kwakarurama, naMwari iye Mutsvene achaonekwa ari mutsvene nokururama kwake.
5:17b.ISA.005.017 Ipapo makwayana achafura saanenge ari pamafuro, awo vanodzungaira vachadya makura avafumi.
5:18b.ISA.005.018 Vane nhamo vanokweva zvakaipa nerwodzi rwenhema, nezvivi sezvinenge namabote engoro;
5:19b.ISA.005.019 vanoti, Ngaakurumidze, ngaachimbidzike nebasa rake, kuti tizvione; zvakafungwa noMutsvene wavaIsiraeri ngazviswedere, kuti tizvizive.
5:20b.ISA.005.020 Vane nhamo vanoti zvakaipa ndizvo zvakanaka, uye zvakanaka kuti ndizvo zvakaipa, vanoisa rima panzvimbo yechiedza, nechiedza panzvimbo yerima; vanoisa zvinovava panzvimbo yezvinotapira, nezvinotapira panzvimbo yezvinovava.
5:21b.ISA.005.021 Vane nhamo vanozviti takachenjera, vanoti pakufunga kwavo tine njere.
5:22b.ISA.005.022 Vane nhamo vakaita mhare pakunwa waini, navarume vane simba pakuvhenganisa zvinobata;
5:23b.ISA.005.023 vanoti akaipa haane mhosva nokuda kwefufuro, vanotorera wakarurama kururama kwake.
5:24b.ISA.005.024 Naizvozvo murazvo womoto sezvaunopedza hundi uye uswa hwakawoma sezvahunongoperera mumurazvo, saizvozvo mudzi wavo uchaora, ruva ravo richatorwa kumusoro seguruva; nokuti vakaramba murayiro waJehovha wehondo, nokushora shoko roMutsvene waIsiraeri.
5:25b.ISA.005.025 Saka kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vanhu vake, akatambanudza ruoko rwake kwavari, akavarova; makomo anodedera, mitumbi yavo yafanana namarara pakati penzira dzomumusha. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.
5:26b.ISA.005.026 Achasimudzira marudzi anobva kure mureza, nokuvaridzira muridzo ivo vari kumigumo yenyika; tarirai, vachakurumidza kuuya vachichimbidzika.
5:27b.ISA.005.027 Hapana achaneta kana kugumburwa pakati pavo; hakuna achakotsira kana kuvata; bhanhire rezviuno zvavo haringasunungurwi, rukanda rweshangu dzavo harungadambuki.
5:28b.ISA.005.028 Miseve yavo inopinza, uta hwavo hwose hwakakungwa; mazondo amabhiza avo achaita somusara, namavhiri engoro dzavo sechamupupuri;
5:29b.ISA.005.029 kuomba kwavo kuchaita sokwehadzi yeshumba, vachavomba savana veshumba; zvirokwazvo vachavomba, vachabata mhuka yavo, ndokuenda nayo, hapana angairwira.
5:30b.ISA.005.030 Nezuva iro vachavaombera sokutinhira kwegungwa; kana munhu akatarira nyika, achaona rima nokutambudzika; chiedza chichasvibiswa namakore ayo.
6
6:1b.ISA.006.001 Pagore rokufa kwamambo Uziya, ndakaona Ishe agere pachigaro choushe, chirefu chakakwirira, mipendero yenguvo dzake ichizadza temberi.
6:2b.ISA.006.002 Kumusoro kwake kwakanga kumire serafimi; imwe neimwe yakanga ina mapapiro matanhatu; namaviri yakafukidza chiso chayo, namaviri yakafukidza makumbo ayo, namaviri yakanga ichibhururuka nawo.
6:3b.ISA.006.003 Imwe yakadanidzira kune imwe, ichiti, Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha wehondo; nyika yose izere nokubwinya kwake.
6:4b.ISA.006.004 Nheyo dzezvikumbaridzo dzikazununguka nenzwi rowakanga achidana, imba ikazadzwa noutsi.
6:5b.ISA.006.005 Ipapo ndikati, Ndine nhamo! Nokuti ndoparara, nokuti ndiri munhu wemiromo yakanora, ndigere pakati pavanhu vemiromo yakanora; nokuti meso angu akaona Mambo; Jehovha wehondo.
6:6b.ISA.006.006 Ipapo imwe serafimi yakabhururukira kwandiri, yakabata zimbe rinopfuta muruoko rwayo, rayakanga yatora nembato paaritari; ikagumura muromo wangu naro, ikati,
6:7b.ISA.006.007 Tarira, zimbe iri ragumura miromo yako, zvakaipa zvako zvabviswa, zvivi zvako zvadzikunurwa.
6:8b.ISA.006.008 Ipapo ndakanzwa nzwi raShe richiti, Ndingatuma aniko? Ndiani angatiendera? Ipapo ndakati, Ndiri pano ini, nditumei.
6:9b.ISA.006.009 Iye akati, Enda, unondoudza vanhu ava, uti, Rambai henyu muchinzwa, asi musanzwisisa, rambai henyu muchiona, asi musaonesesa.
6:10b.ISA.006.010 Kodzai moyo yavanhu ava, remedzai nzeve dzavo, tsinzinisai meso avo, kuti varege kuona nameso avo, kana kunzwa nenzeve dzavo, kana kunzwisisa nemoyo yavo, vadzoke vapodzwe.
6:11b.ISA.006.011 Zvino ndakati, Ishe kusvikira rinhiko? Akapindura, akati, Kusvikira maguta ava matongo, asina vanogaramo, nedzimba dzisina munhu, nenyika yaparadzwa chose,
6:12b.ISA.006.012 kusvikira Jehovha abvisira vanhu kure, nenzvimbo, dzashanduka matongo, dzava zhinji panyika.
6:13b.ISA.006.013 Kana kuchinge kwasara mukati mayo chegumi, naichowo chichadyiwazve; sezvakaita muterebhinti nomuouki wasiyirwa hunde kana watemwa, saizvozvo rudzi rutsvene ndiyo hunde yawo.
7
7:1b.ISA.007.001 Zvino pamazuva aAhazi, mwanakomana waJotamu, mwanakomana waUziya, mambo waJudha, Rezini mambo weSiria, naPeka, mwanakomana waRemaria, mambo waIsiraeri, vakaenda kundorwa neJerusaremu, asi vakakoniwa kurikunda.
7:2b.ISA.007.002 Zvino vakaudza imba yaDhavhidhi, vachiti, VaSiria vava pakati pavaEfuremu. moyo wake nemoyo yavanhu vake ikazununguswa sokuzununguswa kwemiti mudondo nemhepo.
7:3b.ISA.007.003 Zvino Jehovha akati kuna Isaya, Enda zvino undosangana naAhazi, iwe naShearijashubhi, mwanakomana wako, panoguma rukoronga rwedziva rokumusoro, panzira huru inoenda kumunda womusuki wenguvo;
7:4b.ISA.007.004 undoti kwaari, Chenjera, unyarare hako; usatya, nomoyo wako urege kupera nokuda kwamatsiga awa maviri anopfungaira, nokuda kwokutsamwa kukuru kwaRezini nokwavaSiria, nokwomwanakomana waRemaria.
7:5b.ISA.007.005 Nokuti vaSiria navaEfuremu, nomwanakomanwa waRemaria vakarangana kukuitira zvakaipa, vachiti,
7:6b.ISA.007.006 Hendei tindorwa navaJudha, tivatyise, tivakunde, tigadze mambo pakati pavo, iye mwanakomana waTabheeri.
7:7b.ISA.007.007 Zvanzi naIshe Jehovha, lzvozvi hazvingamiri, uye hazvingaitiki.
7:8b.ISA.007.008 Nokuti musoro weSiria ndiDhamasiko, nomusoro weDhamasiko ndiRezini; makore makumi matanhatu namashanu asati apera, vaEfuremu vachaputswa-putswa, kuti varege kuva rudzi;
7:9b.ISA.007.009 musoro wavaEfuremu ndiSamaria, nomusoro weSamaria ndimwanakomana waRemaria. Kana musingadi kutenda, zvirokwazvo hamungasimbiswi. Mwanakomana Imanueri
7:10b.ISA.007.010 Zvino Jehovha akataurazve naAhazi, achiti,
7:11b.ISA.007.011 Kumbira chiratidzo kuna Jehovha Mwari wako; uchikumbire kunyange pasi pakadzika, kana kumusoro kwakakwirira.
7:12b.ISA.007.012 Asi Ahazi akati, Handingakumbiri, uye handingaedze Jehovha.
7:13b.ISA.007.013 Akati, Chinzwai zvino, imi imba yaDhavhidhi, chinhu chiduku kwamuri kuti munetse vanhu zvino modokunetsa Mwari wanguvo here?
7:14b.ISA.007.014 Naizvozvo Ishe amene achakupai chiratidzo. Tarirai, mhandara ichava napamuviri, ichabereka mwanakomana, ichamutumidza Imanueri.
7:15b.ISA.007.015 Achadya ruomba nouchi, panguva yaanoziva kuramba zvakaipa, nokusanangura zvakanaka.
7:16b.ISA.007.016 Nokuti mwana asati aziva kuramba zvakaipa nokusanangura zvakanaka, nyika iyo yaunotya madzimambo ayo maviri, ichashanduka dongo.
7:17b.ISA.007.017 Jehovha achauyisa pamusoro pako, napamusoro pavanhu vako, napamusoro peimba yababa vako, mazuva asina kumbovapo, kubvira pazuva rakaparadzana vaEfuremu navaJudha ndiye mambo weAsiria.
7:18b.ISA.007.018 Zvino nezuva iro Jehovha acharidzira muridzo nhunzi dziri pamigumo yenzizi dzeIjipiti, nenyuchi dziri panyika yeAsiria.
7:19b.ISA.007.019 Dzichauya, dzichamhara dzose mumipata ina mawere, nomumikaha yamatombo, napamusoro peminzwa yose, napamusoro pamafuro ose.
7:20b.ISA.007.020 Nezuva iro Ishe achaveura nechisvo chakakumbirwa mhiri kwoRwizi, iye mambo weAsiria, musoro nemvere dzamakumbo; chichabvisawo ndebvu.
7:21b.ISA.007.021 Zvino nezuva iro munhu achapfuwa mhou imwe duku namakwai maviri;
7:22b.ISA.007.022 zvino nokuda kwomukaka muzhinji wadzichamupa, achadya ruomba; nokuti mumwe nomumwe akasiyiwa panyika iyo achadya ruomba nouchi.
7:23b.ISA.007.023 Zvino nezuva iro nzvimbo imwe neimwe paiva nemiti yemizambiringa ine chiuru chimwe, yaitengwa namasirivha ane chiuru chimwe, ichava norukato neminzwa.
7:24b.ISA.007.024 Vachaendako nemiseve nouta, nokuti nyika yose ichamera rukato neminzwa.
7:25b.ISA.007.025 Hakuna angasvika pazvikomo zvose zvairimwa namapadza nokutya rukato neminzwa; asi mombe dzichasundirwako, namakwai achatsikapo.
8
8:1b.ISA.008.001 Zvino Jehovha akati kwandiri,Tora hwendefa guru, unyore pariri nepeni yavanhu, uti, Chimbidzikai kutapa, zvakapambwa zvokurumbidza.
8:2b.ISA.008.002 Ndichatora zvapupu zvakatendeka, zvinoti: Uriya mupirisiti, naZekariya mwanakomana waJebherekia.
8:3b.ISA.008.003 Ipapo ndakaenda kumuporofitakadzi, iye akatora pamuviri, akabereka mwanakomana. Zvino Jehovha akati kwandiri Mutumidze zita rokuti, Chimbidzikai kutapa, zvakapambwa zvokurumbidza.
8:4b.ISA.008.004 Nokuti mwana asati aziva kuti, baba vangu, kana mai vangu, fuma yeDhamasiko nezvakapambwa zveSamaria zvichaiswa pamberi pamambo weAsiria.
8:5b.ISA.008.005 Zvino Jehovha akataurazve kwandiri, achiti,
8:6b.ISA.008.006 Vanhu ava zvavakaramba mvura yeShiroa, inonyatsa kuyerera, vachifarira Rezini nomwanakomana waRemaria;
8:7b.ISA.008.007 saka zvino, tarira, Ishe achauyisa pamusoro pavo mvura zhinji yoRwizi, ine simba yakawanda, iye mambo weAsiria nokubwinya kwake kwose; ruchabuda kuhova dzarwo dzose, nokudarika nhivi dzarwo dzose;
8:8b.ISA.008.008 ruchakukura kusvikira kwaJudha; ruchapa fuma, ndokupfuura, ruchasvika pamutsipa; kutandavara kwamapapiro arwo kuchazadza kufara kwenyika yako yose, iwe Imanueri.
8:9b.ISA.008.009 Itai bope, imi ndudzi, muputsweputswe; nemi mose muri kunyika dziri kure, inzwai; zvisungei zviuno, muputswe-putswe, zvisungei zviuno, muputswe-putswe.
8:10b.ISA.008.010 Ranganai henyu, asi zvichakona; taurai shoko, asi haringamiri; nokuti Mwari anesu.
8:11b.ISA.008.011 Nokuti Jehovha akataura saizvozvo neni noruoko rune simba, akandirayira kuti ndirege kufamba nenzira yavanhu ava, achiti,
8:12b.ISA.008.012 Musati, Irangano, pamusoro pezvose zvinonzi navanhu ava, irangano; uye musatya zvavanotya, kana kuvhunduka.
8:13b.ISA.008.013 Jehovha wehondo, ndiye wamunofanira kuti mutsvene; mumutye iye, mumuvhunduke iye.
8:14b.ISA.008.014 Ipapo iye achava nzvimbo tsvene yenyu; asi achava ibwe rokugumbusa nedombo rokupinganidza kudzimba dzose mbiri dzaIsiraeri, ave rugombe nomusungo kuna vanogara Jerusaremu.
8:15b.ISA.008.015 Vazhinji vavo vachagumburwa naro, vachawa, nokuputswa, nokuteyiwa, nokubatwa.
8:16b.ISA.008.016 Sunga chipupuriro, namatidza murayiro nechisimbiso pakati pavadzidzi vangu.
8:17b.ISA.008.017 Ndichamirira Jehovha, anovanzira imba yaJakobho chiso chake, ndichamutsvaka.
8:18b.ISA.008.018 Tarirai, ini navana vandakapiwa naJehovha, tiri zviratidzo nezvishamiso pakati paIsiraeri zvaJehovha wehondo, agere mugomo reZiyoni.
8:19b.ISA.008.019 Zvino kana vachiti kwamuri, bvunzai masvikiro navavuki, vanorira nokuita zevezeve: Ko vanhu havafaniri kubvunza Mwari wavo here? Ko vanofanira kubvunza vakafa pamusoro pavapenyu here?
8:20b.ISA.008.020 Dzokerai kumurayiro nokuzvipupuriro! Kana vasingatauri sezvinoreva shoko iri, havangavi nechiedza chamangwanani.
8:21b.ISA.008.021 Vachafamba nenyika vakamanikidzwa kwazvo, vane nzara; zvino kana vane nzara, vachava neshungu, vachatuka mambo wavo naMwari wavo, vachitarira kudenga.
8:22b.ISA.008.022 Vachatarirawo pasi, asi tarirai, vachaona njodzi nerima, nokusviba kwokumanikidzwa; vachadzingirwa kurima guru.
9
9:1b.ISA.009.001 Asi iye, aiva pakumanikidzwa, haangazovi nerima. Panguva yokutanga wakaninipisa nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, asi panguva yazvino akaikudza, kurutivi rwegungwa, mhiri kwaJorodhani, Gariria ravahedheni.
9:2b.ISA.009.002 Vanhu vaifamba murima vakaona chiedza chikuru; vaigara munyika yomumvuri worufu, vakapenyerwa chiedza.
9:3b.ISA.009.003 Makawanza rudzi, makawedzera mufaro wavo; vanofara pamberi penyu, sokufara kwavanhu panguva yokukohwa, sokufara kwavanhu kana vachigoverana zvakapambwa.
9:4b.ISA.009.004 Nokuti makavhuna joko raivaremedza, netsvimbo yairova mafudzi avo, neshamhu yavaivamanikidza, sapamazuva avaMidhiani.
9:5b.ISA.009.005 Nokuti shangu imwe neimwe yomurwi, yakatsika nokutinhira, nenguvo yakanyikwa muropa, zvichapiswa, zvichava sehuni dzomoto.
9:6b.ISA.009.006 Nokuti takazvarirwa Mwana, takapiwa Mwanakomana; umambo huchava pafudzi rake; zita rake richanzi, Anoshamisa, Gota, Mwari ane simba, Baba vokusingaperi, Muchinda worugare.
9:7b.ISA.009.007 Kukura kwoumambo hwake nokworugare hazvina mugumo, agare pachigaro choushe chaDhavhidhi napaushe hwake, ahusimbise ahutsigire nokururamisira nokururama kubva zvino kusvikira panguva isingaperi. Kushingaira kwaJehovha wehondo kuchazviita. Kutsamwa kwaJehovha pamusoro pokusatendeuka kwavanhu vake
9:8b.ISA.009.008 Jehovha akatuma shoko kuna Jakobho, rakaburukira pamusoro pavaIsiraeri.
9:9b.ISA.009.009 Vanhu vose vachaziva, ivo vaEfuremu navagere Samaria, ivo vanoti namanyawi avo nokuzvikudza kwemoyo yavo,
9:10b.ISA.009.010 Zvitinha zvawa, asi tichavaka namabwe akavezwa; mionde yatemwa, asi tichaisa misidhari panzvimbo yayo.
9:11b.ISA.009.011 Naizvozvo Jehovha achavamutsira vadzivisi vaRezini, achasanganisa vavengi vake;
9:12b.ISA.009.012 vaSiria pamberi, navaFirisitia mushure, vachapedza Isiraeri nomuromo wakashama. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.
9:13b.ISA.009.013 Asi vanhu havana kutendeukira kuna iye akavarova, havana kutsvaka Jehovha wehondo.
9:14b.ISA.009.014 Saka Jehovha achagura vaIsiraeri musoro nomuswe, davi romuchindwe nenhokwe, nomusi mumwe.
9:15b.ISA.009.015 Mukuru noanokudzwa ndiwo musoro; muporofita, anodzidzisa nhema, ndiwo muswe.
9:16b.ISA.009.016 Nokuti vatungamiriri vavanhu ava vanovatsaukisa; vanotungamirirwa navo vanoparadzwa.
9:17b.ISA.009.017 Naizvozvo Ishe haangafariri majaya avo, haangavi netsitsi nenherera nechirikadzi dzavo; nokuti mumwe nomumwe wavo mumhuri waMwari nomuiti wezvakaipa, muromo mumwe nomumwe unotaura zvohupenzi. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.
9:18b.ISA.009.018 Nokuti zvakaipa zvinopfuta somoto; unopedza rukato neminzwa; zvirokwazvo unopisa matenhere edondo, zvichikwira kudenga iri shongwe youtsi.
9:19b.ISA.009.019 Nyika inotsva nokuda kwokutsamwa kwaJehovha wehondo; vanhu vakaita sehuni dzinoveswa; hakuna munhu une nyasha nehama yake.
9:20b.ISA.009.020 Mumwe achabvuta kurudyi, asi achava nenzara; achadya kuruboshwe, asi havangaguti; mumwe nomumwe achadya nyama yoruoko rwake.
9:21b.ISA.009.021 VaManase vachadya vaEfuremu, navaEfuremu vaManase; ivo pamwechete vachamukira vaJudha. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.
10
10:1b.ISA.010.001 Vane nhamo vanotema mitemo isina kururama, navanyori vanonyora zvisakarurama;
10:2b.ISA.010.002 kuti vadzivise varombo pakururamisirwa, nokutorera varombo vavanhu vangu zvavanofanira kuva nazvo, kuti vapambe chirikadzi, vatorere nherera zvinhu zvavo.
10:3b.ISA.010.003 Asi muchaiteiko pazuva rokutongwa, nerokuparadzwa kuchabva kure? Muchatizira kuna ani kundobatsirwa? fuma yenyu muchaivigepiko?
10:4b.ISA.010.004 Vachangokotama havo pakati pavasungwa, vachawira pasi pakati pavakaurawa. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino. Kurohwa kwavaAsiria
10:5b.ISA.010.005 Nhaiwe Asiria, shamhu yokutsamwa kwangu, wakabata muruoko rwake tsvimbo yeshungu dzangu!
10:6b.ISA.010.006 Ndichamutuma kundorwa norudzi runomhura Mwari, ndichamurayira kundorwa navanhu vandinotsamwira, kuti andotora zvakapambwa, andotora zvakatapwa, azvitsikire pasi sedope riri munzira dzomumusha.
10:7b.ISA.010.007 Asi iye haafungi kuita izvozvo, nomoyo wake haarangariri zvakadaro; asi iye anorangarira kuparadza nokupedza marudzi mazhinji.
10:8b.ISA.010.008 Nokuti iye anoti, Ko machinda angu ose haazi madzimambo here?
10:9b.ISA.010.009 Ko Karino harina kuitirwa zvakaitirwa Karikemishi here? NeHamati seAripadhi here? NeSamaria seDhamasiko here?
10:10b.ISA.010.010 Ruoko rwangu sezvarwakasvikira ushe hwezvifananidzo, kunyange zvifananidzo zvavo zvakavezwa zvakanga zvichipfuura zvapaJerusaremu neSamaria,
10:11b.ISA.010.011 handingaitiri Jerusaremu nezvifananidzo zvaro sezvandakaitira Samaria nezvifananidzo zvaro here?
10:12b.ISA.010.012 Saka zvino kana Ishe apedza basa rake rose pagomo reZiyoni napaJerusaremu, ndicharova zvibereko zvomoyo unozvikudza wamambo weAsiria, namanyawi okuzvikudza kwake.
10:13b.ISA.010.013 Nokuti akati, Ndakazviita nesimba roruoko rwangu, uye nouchenjeri hwangu, nokuti ndine njere; ndakabvisa miganho yavanhu, ndakapamba fuma yavo; semhare ndakawisira pasi vaigara pazvigaro zvoushe;
10:14b.ISA.010.014 ruoko rwangu rwakawana fuma yamarudzi avanhu sedendere; ndakaunganidza nyika yose, somunhu anounganidza mazai akasiyiwa; hapana akapfakanyisa bapiro, kana kushamisa muromo, kana kurira.
10:15b.ISA.010.015 Ko sanhu ringazvirumbidza pamusoro poanotema naro here? Kana jeko ringazvikudza pamusoro paanobata naro here? Zvaifanana netsvimbo inozunungusa vanorova nayo, kana mudonzvo unosimudza chinhu chisati chiri huni.
10:16b.ISA.010.016 Naizvozvo Ishe, Ishe wehondo, achatuma kuonda pakati pavakakora vake; pasi pokubwinya kwake pachabatidzwa chinopisa chakafanana nokupisa kwomoto.
10:17b.ISA.010.017 Chiedza chavaIsiraeri chichava moto, noMutsvene wake murazvo womoto; uchapisa nokupedza minzwa yake norukato rwake nezuva rimwe.
10:18b.ISA.010.018 Uchapedza kubwinya kwedondo rake, nokwomunda wake wakaorera, mweya nomuviri kamwe, zvifanane nendonda inongoramba ichipera simba.
10:19b.ISA.010.019 Miti yakasara yedondo rake ichava mishoma, inganyorwa nomwana.
10:20b.ISA.010.020 Zvino nezuva iro vakasara vaIsiraeri, navanenge vapukunyuka paimba yaJakobho, havangazosendamiri kunoakavarova, asi vachasendamira kuna Jehovha, Mutsvene waIsiraeri, nezvokwadi.
10:21b.ISA.010.021 Vakasara vachadzoka, ivo vakasara vaJakobho, kuna Mwari ane simba.
10:22b.ISA.010.022 Nokuti kunyange vanhu venyu, imi Isiraeri, vakaita sejecha regungwa, vakasara vavo voga vachadzoka; nokuti vakatemerwa kuparadzwa kuzere nokururama.
10:23b.ISA.010.023 Nokuti Ishe, Jehovha wehondo, achapedzisa kuparadza, kwakagara kwatemwa, panyika yose.
10:24b.ISA.010.024 Saka zvanzi nashe, Jehovha wehondo, Imi vanhu vangu vagere Ziyoni, musatya muAsiria, kunyange akakurovai neshamhu nokukusimudzirai tsvimbo yake, sezvaakaitira Ijipiti.
10:25b.ISA.010.025 Nokuti kwasara chinguva chiduku, kutsamwa kwangu kuchapera, hasha dzangu dzichavaparadza.
10:26b.ISA.010.026 Jehovha wehondo achamusimudzira tyava, sapakurohwa kwavaMidhiani padombo reOrebhi; shamhu yake ichava pamusoro pegungwa, achaisimudza sezvaakaitira Ijipiti.
10:27b.ISA.010.027 Zvino nezuva iro mutoro wake uchabviswa pamafudzi ako, nejoko rake pamutsipa wako, joko richaparadzwa nokuda kwamafuta.
10:28b.ISA.010.028 Asvika paAiati, apfuura napaMigironi, achengeta nhumbi dzake paMikimashi;
10:29b.ISA.010.029 vakwira napamupata, vakavata paGebha usiku; Rama rinodedera, Gibhiya raSauro ratiza.
10:30b.ISA.010.030 Danidzira nenzwi rako, iwe mukunda weGarimi ! Teerera, iwe Raishi! Iwe Anatoti wourombo!
10:31b.ISA.010.031 Madhimena wotiza, vagere Ghebhimi vorongedza kutiza.
10:32b.ISA.010.032 Zuva ranhasi achazorota paNobhi; anozunungusira gomo romukunda weZiyoni, icho chikomo cheJerusaremu, ruoko rwake.
10:33b.ISA.010.033 Tarirai, Ishe, Jehovha wehondo, achatema mashizha nokutyisa; akareba achatemwa, naakakwirira achawiswa pasi.
10:34b.ISA.010.034 Achatema nedare matenhere edondo, Rebhanoni richawiswa neane simba.
11
11:1b.ISA.011.001 Zvino pahunde yaJese pachabuda bukira, davi, rinobuda pamidzi yake, richabereka zvibereko.
11:2b.ISA.011.002 Mweya waJehovha uchagara pamusoro pake, mweya wenjere nowokungwara, mweya wamano nesimba, mweya wokuziva nokutya Jehovha.
11:3b.ISA.011.003 Mufaro wake uchava pakutya Jehovha; haangatongi nokungoona nameso bedzi, kana kupa mhosva nokungonzwa nenzeve dzake bedzi;
11:4b.ISA.011.004 asi achatongera varombo nokururama, achatambira vanyoro venyika mhaka dzavo zvakarurama; acharova nyika neshamhu yomuromo wake, achavauraya vakaipa nomweya wemiromo yake.
11:5b.ISA.011.005 Kururama richava bhanhire rechiuno chake, kutendeka richava bhanhire rezvidzva zvake.
11:6b.ISA.011.006 Bere richagara negwayana, ingwe ichavata pasi nembudzana, nemhuru nomwana weshumba nechipfuwo chakakora pamwechete; uye mwana muduku achadzitungamirira.
11:7b.ISA.011.007 Mhou nebere zvichafura; vana vadzo vachavata pamwechete; shumba ichadya uswa senzombe.
11:8b.ISA.011.008 Mwana anomwa, achatamba pamwena wenyoka, uye mwana akarumurwa achapinza ruoko rwake mubako remvumbi.
11:9b.ISA.011.009 Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.
11:10b.ISA.011.010 Nezuva iro mudzi waJese, iwo umirepo somureza wavanhu, uchatsvakwa namarudzi avanhu; nzvimbo yake yokuzorora ichava nembiri.
11:11b.ISA.011.011 Zvino nezuva iro Ishe achatambanudzazve ruoko rwake kechipiri kuti adzikunure vakasara vavanhu vake, ivo vanenge vasara, vari paAsiria, nePatirosi, neKushi, neErami, neShinari, neHamati, nokuzvitsuwa zvegungwa.
11:12b.ISA.011.012 Achasimudzira marudzi mureza, nokuunganidza vadzingwa vaIsiraeri, nokuunganidza VaJudha vakaparadzirwa kumativi mana enyika.
11:13b.ISA.011.013 Ipapo godo ravaEfuremu richapera, navanomanikidza vaJudha vachaparadzwa; vaEfuremu havangagodori vaJudha, navaJudha havangamanikidzi vaEfuremu.
11:14b.ISA.011.014 Asi vachabhururukira pamusoro pamafudzi avaFirisitia kumavirazuva, vachapambara pamwechete vana vamabvazuva; vachatambanudzira maoko avo kuvaEdhomu navaMoabhi, navana vaAmoni vachavateerera.
11:15b.ISA.011.015 Jehovha achaparadza chose muromo wegungwa reIjipiti, achasimudzira ruoko rwake pamusoro poRwizi nemhepo yake inopisa, ndokururova ruite hova nomwe, ayambuse vanhu vakafuka shangu.
11:16b.ISA.011.016 Vanhu vake vakasara, vakasara Asiria, vachava nenzira huru; sezvazvakaitirwa Isiraeri nezuva ravakabuda munyika yeIjipiti.
12
12:1b.ISA.012.001 Nezuva iro uchati, Ndinokuvongai Jehovha; makanga makanditsamwira, asi kutsamwa kwenyu kwakadzorwa, munondinyaradza.
12:2b.ISA.012.002 Tarirai, Mwari ndiye ruponeso rwangu; ndichavimba naye, handingatyi; nokuti Jehovha, iye Jehovha, ndiye simba rangu norwiyo rwangu; iye wava ruponeso rwangu.
12:3b.ISA.012.003 Saka muchachera mvura nomufaro pamatsime oruponeso.
12:4b.ISA.012.004 Zvino nezuva iro muchati, Vongai Jehovha, paridzai zita rake, zivisai mabasa ake pakati pavanhu, muudze vanhu kuti zita rake rinokudziwa.
12:5b.ISA.012.005 Imbirai Jehovha; nokuti akaita zvinhu zvakaisvonaka-naka; izvi ngazvizikanwe panyika yose.
12:6b.ISA.012.006 Danidzira upururudze, iwe ugere paZiyoni; nokuti Mutsvene waIsiraeri mukuru pakati penyu.
13
13:1b.ISA.013.001 ,Chirevo chaMwari pamusoro peBhabhironi, chakaonekwa naIsaya, mwanakomana waAmozi.
13:2b.ISA.013.002 Simudzai mureza pagomo risina miti; danidzirai kwavari, ninirai noruoko, kuti vapinde pamasuo avakuru.
13:3b.ISA.013.003 Ndakaraira vatsvene vangu, ndakadana mhare dzangu nokuda kwokutsamwa kwangu, ivo varume vangu vanofara vachizvikudza.
13:4b.ISA.013.004 Inzwai kutinhira pamakomo, kwakaita sokwavanhu vazhinji Kutinhira kweungano dzoushe kwamarudzi akaungana pamwechete! Jehovha wehondo wogadzira hondo kundorwa.
13:5b.ISA.013.005 Vanobva kunyika iri kure, kumugumo wedenga, iye Jehovha nenhumbi dzake dzokurwa dzeshungu dzake, kuti aparadze nyika yose.
13:6b.ISA.013.006 Chemai, nokuti zuva raJehovha riri pedo; rinosvika sokuparadza kunobva kuna waMasimbaose.
13:7b.ISA.013.007 Saka maoko ose achashayiwa simba, nomoyo mumwe nomumwe wavanhu uchanyauka;
13:8b.ISA.013.008 vachavhunduka; vachabatwa nokurwadziwa namatambudziko; vacharwadziwa somukadzi anosununguka; vachatarisana vachashamiswa; zviso zvavo zvichafanana nezviso zvomoto.
13:9b.ISA.013.009 Tarirai, zuva raJehovha rinouya, rinotyisa, rine hasha nokutsamwa kukuru, kuti ashandure nyika iite dongo, nokuparadza vatadzi vayo vabvemo.
13:10b.ISA.013.010 Nokuti nyeredzi dzokudenga, namapoka adzo, hadzingaratidzi chiedza chadzo; zuva richasvibiswa pakubuda kwaro, uye mwedzi haungavhenekeri nechiedza chawo.
13:11b.ISA.013.011 Ndicharova nyika nokuda kwokushata kwayo, navakaipa nokuda kwezvakaipa zvavo; ndichagumisa manyawi avanozvikudza, nokuwisira pasi kudada kwavanotyisa.
13:12b.ISA.013.012 Vanhu ndichavaita vashoma kupfuura ndarama yakaisvonaka, iye munhu kupfuura ndarama tsvene yeOfiri.
13:13b.ISA.013.013 Saka ndichadederesa denga, nyika ichazununguswa ibve panzvimbo yayo, nehasha dzaJehovha wehondo, napazuva rokutsamwa kwake kukuru.
13:14b.ISA.013.014 Zvino semhara inovhimwa, uye sezvipfuwo zvisina unozviunganidza, saizvozvo munhu mumwe nomumwe achadzokera kurudzi rwake, mumwe nomumwe achatizira kunyika yake.
13:15b.ISA.013.015 Mumwe nomumwe anowanikwa, achabayiwa; mumwe nomumwe anobatwa, achaurawa nomunondo.
13:16b.ISA.013.016 Vacheche vavo vacharoverwa pasi pamberi pavo, dzimba dzavo dzichapambwa, vakadzi vavo vachachinyiwa. ,
13:17b.ISA.013.017 Tarirai, ndichavamutsira vaMedhia, vasingarangariri sirivha, kunyange ndarama havaifariri.
13:18b.ISA.013.018 Uta hwavo huchawisira pasi majaya avo, havangavi netsitsi nezvibereko zvechizvaro; ziso ravo haringadariki vana.
13:19b.ISA.013.019 Zvino Bhabhironi, rine mbiri paushe hwose, raizvikudza vaKaradhea pamusoro pokunaka kwaro, richaita sapanguva yakaparadza Mwari Sodhoma neGomora.
13:20b.ISA.013.020 Haringatongogarwi navanhu, hakuna vangatongogaramo kusvikira kumarudzi namarudzi; kunyange nomuArabhia haangadziki tende rakemo, navafudzi havangavatisi mapoka avopo.
13:21b.ISA.013.021 Asi zvikara zvomusango zvichavatamo; dzimba dzavo dzichazara nezvinorira; mhou dzichagaramo, nemweya yakaipa ichatambapo.
13:22b.ISA.013.022 Mapere acharira munhare dzavo, namakava mudzimba dzamadzimambo dzaifadza; nguva yaro yaswedera pedo, mazuva aro haangawedzerwi.
14
14:1b.ISA.014.001 Nokuti Jehovha achanzwira Jakobho tsitsi, achasanangura Isaraeri nokuvagadza munyika yavo; mutorwa achandogara navo, vachanamatira imba yaJakobho.
14:2b.ISA.014.002 Marudzi achavatora, nokuvaisa kunzvimbo yavo; imba yavaIsiraeri ichavabata panyika yaJehovha vave varanda navashandiri vavo; vachatapa ivo vaiva vatapi vavo, vachabata ivo vaivamanikidza.
14:3b.ISA.014.003 Zvino nezuva iro kana Jehovha achikuzorodza pakuchema kwako napakutambudzika kwako, napakubata kwako kunorema kwawakabatiswa nako,
14:4b.ISA.014.004 uchaimba rwiyo urwu pamusoro pamambo weBhabhironi, uchiti, Haiwa mumanikidzi wapera sei! Kutambudzika kwapera sei!
14:5b.ISA.014.005 Jehovha avhuna mudonzvo wowakaipa, netsvimbo youshe yavabati.
14:6b.ISA.014.006 Iye airova marudzi avanhu nehasha nokurova kusingaperi, aibata ndudzi dzavanhu nokutambudza kusina kudzorwa nomunhu.
14:7b.ISA.014.007 Nyika yose yozorora, yanyarara; vanofara nokuimba.
14:8b.ISA.014.008 Zvirokwazvo miti yemisipiresi inofara nokuda kwako, nemisidhari yeRebhanoni, ichiti, Chinguva chawaparadzwa, hapano mutemi anokwira kutitema.
14:9b.ISA.014.009 Sheori pasi rine nyongano pamusoro pako kuzosangana newe pakuuya kwako; rinokumutsira vakafa, ivo vose vaiva vakuru panyika; ramutsa madzimambo ose amarudzi avanhu pazvigaro zvavo zvoushe.
14:10b.ISA.014.010 Ivo vose vachapindura, vachiti kwauri, Newe wava usina simba sesu kanhi? Iwe wafanana nesu kanhi?
14:11b.ISA.014.011 Kuzvikudza kwako kwaderedzwa kusvikira paSheori, nokurira kwoudimbwa hwako; honye dziri pasi pako, nehonye dzinokufukidza.
14:12b.ISA.014.012 Haiwa, wawa seiko uchibva kudenga, iwe nyamasase, iwe mwanakomana wamambakwedza! Wakandwa seiko pasi, iwe wokuwisira marudzi pasi!
14:13b.ISA.014.013 Iwe wakati mumoyo mako, Ndichakwira kudenga, ndichakwiridza chigaro changu choushe kumusoro kwenyeredzi dzaMwari; ndichagara pamusoro pegomo reungano, pamigumo yamativi okumusoro;
14:14b.ISA.014.014 ndichakwira kumusoro kwamakore, ndichazvienzanisa noWokumusoro-soro.
14:15b.ISA.014.015 Kunyange zvakadaro uchaderedzwa kusvikira paSheori, kusvikira pakadzika pegomba.
14:16b.ISA.014.016 Vanokuona vachakucherekedza, vachakutarira, vachiti, Ko uyu ndiye munhu aidederesa nyika, aizunungusa ushe;
14:17b.ISA.014.017 aishandura nyika ifanane nerenje, aiparadza maguta ayo, airamba kusunungura vasungwa vake vaende kumusha here?
14:18b.ISA.014.018 Madzimambo ose amarudzi, iwo ose, anovata achikudzwa, mumwe nomumwe paimba yake.
14:19b.ISA.014.019 Asi iwe waraswa kure nobwiro hwako, sedavi rinonyangadza, wafukidzwa navakaurawa, vakabayiwa nomunondo, vanoburukira kumabwe egomba, somutumbi watsikwa netsoka.
14:20b.ISA.014.020 Haungavigwi pamwechete navo, nokuti wakaparadza nyika yako, vakauraya vanhu vako; vana vavakaipa havangarehwi nokusingaperi.
14:21b.ISA.014.021 Gadzirirai vana vake pavangaurawa nokuda kwokushata kwamadzibaba avo; varege kuzomuka, vagare nhaka yenyika, vazadze pasi pose namaguta.
14:22b.ISA.014.022 Zvanzi naJehovha wehondo, Ndichavamukira, ndichatorera Bhabhironi zita navakasara, navana, navana vavana, ndizvo zvinotaura Jehovha.
14:23b.ISA.014.023 Ndichariita nzvimbo inogarwa nenungu, uye madziva emvura; ndicharitsvaira nomutsvairo wokuparadza, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Chirevo pamusoro pavaAsiria
14:24b.ISA.014.024 Jehovha wehondo akapika, achiti, Zvirokwazvo, sezvandakafunga, ndizvo zvichaitika; sezvandakarangarira, zvichamira saizvozvo.
14:25b.ISA.014.025 Kuti ndichavhuna muAsiria munyika yangu, ndichamutsika netsoka dzangu pamakomo angu; nenguva iyo joko rake richabva kwavari, nomutoro wake uchabva pamafudzi avo.
14:26b.ISA.014.026 Ndicho chirevo chakatemerwa nyika yose; ndirwo ruoko rwakatambanudzwa pamusoro pamarudzi ose.
14:27b.ISA.014.027 Nokuti Jehovha wehondo wakatema chirevo, ndiani angapindurazve? Ruoko rwake rwakatambanudzwa, ndiani angarudzosa. Chirevo pamusoro pavaFirisitia
14:28b.ISA.014.028 Negore rokufa kwamambo Ahazi chirevo ichi chakarehwa,
14:29b.ISA.014.029 Iwe nyika yeFirisitia, iwe nyika yose, usafara zvako nokuti shamhu yakanga yakurova yavhunika; nokuti pamudzi wenyoka pachabuda mvumbi, chibereko chayo chichava nyoka yomoto inoburuka.
14:30b.ISA.014.030 Matangwe avarombo achadya, navanoshayiwa vachavata pasi vakafara; ndichauraya mudzi wako nenzara, vakasara vako vachaurawa.
14:31b.ISA.014.031 Chema, iwe suo; danidzira, iwe guta; wanyauka, iwe nyika yeFirisitia, iwe nyika yose; nokuti kurutivi rwokumusoro kunobva utsi, hapana anotiza pahondo dzake.
14:32b.ISA.014.032 Zvino nhume dzorudzi urwu vachadzipindurei? Kuti, Jehovha akavamba Ziyoni, vanotambudzika navanhu vake vachavandiramo.
15
15:1b.ISA.015.001 Nokuti usiku Ari reMoabhi rakai twa dongo, rakaparadzwa; nokuti usiku Kiri reMoabhi rakaitwa dongo, rakaparadzwa.
15:2b.ISA.015.002 Vakwira Bhayiti, neDhibhoni, kumatunhu akakwirira, kundochemapo; vaMoabhi vanochema pamusoro peNebho napaMedhebha; misoro yavo yose ine mhanza, ndebvu dzose dzakaveurwa.
15:3b.ISA.015.003 Panzira dzomumisha yavo vakazvisunga namakudza, pamusoro pedzimba dzavo, napamadare avo, mumwe nomumwe anowungudza achichema zvikuru.
15:4b.ISA.015.004 Heshibhoni rinodanidzira, neEreari; inzwi ravo rinonzwika kusvikira paJahazi; saka varwi vaMoabhi vanodanidzira zvikuru; mweya wavo unodedera mukati mavo.
15:5b.ISA.015.005 moyo wangu unodanidzira pamusoro paMoabhi; vakuru vavo vanotizira Zoari, neEgiratisherishiya; nokuti vanokwira mukwidzwa waRuhiti vachichema; nokuti panzira inoenda Horonaimi vanochema nokuchema kwokuparadzwa.
15:6b.ISA.015.006 Nokuti mvura yeNimirimi ichaparadzwa; nokuti uswa hwawoma, bumhudza rapera, hapachina chinomera chitema.
15:7b.ISA.015.007 Saka zvizhinji zvavakawana, nezvavakachengeta, vachayambuka nazvo parukova rwemikonachando.
15:8b.ISA.015.008 Nokuti kuchema kwapotereka kunyika yose yaMoabhi; kuungudza kwake kusvikira paEgiraimi, nokuungudza kwake kusvikira paBheerierimi.
15:9b.ISA.015.009 Nokuti mvura yeDhimoni izere neropa; nokuti ndichawedzera kurova Dhimoni, ndichatuma shumba iparadze vakapukunyuka vaMoabhi, navakasara panyika.
16
16:1b.ISA.016.001 Tumirai mubati wenyika makwayana, abve Sera aende kurenje, kugomo romukunda weZiyoni.
16:2b.ISA.016.002 Nokuti seshiri dzinodzungaira, sedendere rakaparadzirwa, ndizvo zvichaita vakunda vaMoabhi pamazambuko aArinoni.
16:3b.ISA.016.003 Itai mano, ruramisira; mumvuri wako uuite sousiku pakati pamasikati makuru; vanza vadzingwa, usapandukira anotiza.
16:4b.ISA.016.004 Vanhu vangu vakadzingwa ngavagare newe; kana ari Moabhi, uve kwaari paangavanda pamberi pomuparadzi; nokuti mutambudzi haachipo, kuparadza kwapera, vamanikidzi vabva panyika.
16:5b.ISA.016.005 Chigaro choushe chichamiswa netsitsi; mumwe uchagara pamusoro pacho nechokwadi, mutende raDhavhidhi, achitonga, achitsvaka kururamisira vanhu, achikurumidza kuita zvakarurama.
16:6b.ISA.016.006 Takanzwa zvokuzvikudza kwaMoabhi, kuti unozvikudza kwazvo; zvamanyawi ake, nokuzvikudza kwake, nehasha dzake; asi kuzvirumbidza kwake hakuna maturo.
16:7b.ISA.016.007 Saka Moabhi achachema Moabhi, mumwe nomumwe achachema; muchachemera mapundu amazambiringa eKirihareseti, mamanikidzwa kwazvo.
16:8b.ISA.016.008 Nokuti minda yeHeshibhoni yaoma, nomuzambiringa weSibhima; madzishe amarudzi avhuna matavi awo akanaka, akanga achisvikira Jazeri, akanga atandira kurenje; matavi awo akanga atandavara, ayambukira gungwa.
16:9b.ISA.016.009 Saka ndichachema nokuchema kwaJazeri ndichichemera muzambiringa weSibhima; ndichakudiridza iwe Heshibhoni neEreare nemisodzi yangu; nokuti mhere yokurwa yawira pamusoro pezvibereko zvako zvezhizha napamusoro pokukohwa kwako.
16:10b.ISA.016.010 Mufaro wabviswa, nokufara pamunda waibereka zvakanaka; paminda yemizambiringa hapachazovi nokuimba kana inzwi romufaro; hapachazovi musviniri anosvinira mazambiringa pazvisviniro, ndagumisa kupururudza.
16:11b.ISA.016.011 Naizvozvo moyo wangu unorira sembira pamusoro paMoabhi, nedumbu rangu pamusoro peKiriheresi.
16:12b.ISA.016.012 Zvino kana Moabhi achizviratidza pamberi paJehovha, kana achizvinetsa padunhu rakakwirira, nokupinda panzvimbo yake tsvene kuzonyengetera, haangatongobatsirwi chinhu.
16:13b.ISA.016.013 Ndirori shoko rakataurwa naJehovha pamusoro paMoabhi panguva yakare.
16:14b.ISA.016.014 Asi zvino Jehovha akataura achiti, Makore matatu asati apfuura, samakore omunhu anobatira mubayiro, kukudzwa kwaMoabhi kuchazvidzwa, pamwechete navanhu vake vazhinji; vakasara vachava vashoma kwazvo, vasina simba.
17
17:1b.ISA.017.001 Chirevo pamusoro peDhamasiko. Tarirai, Dhamasiko robviswa, rirege kuzova guta, richava dongo rakakoromoka.
17:2b.ISA.017.002 Maguta eAroeri asiyiwa; achava mafuro ezvipfuwo, zvichavatapo pasi, zvisina anozvivhundusa.
17:3b.ISA.017.003 Nhare ichabviswa panaEfuremu, noushe paDhamasiko; vakasara veSiria vachava sembiri yavana vaIsiraeri, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
17:4b.ISA.017.004 Zvino nezuva iro ukuru hwaJakobho huchaitwa hutende, uye kukora kwenyama yake kuchaonda.
17:5b.ISA.017.005 Zvichafanana nenguva kana mucheki achiunganidza zviyo mumunda, achicheka hura noruoko rwake; zvirokwazvo zvichafanana nokuunganidza hura pamupata weRefaimi.
17:6b.ISA.017.006 Kunyange zvakadaro mimwe michero ichasariramo, sezvinoitika kana muorivhi uchizuzwa, zvibereko zviviri kana zvitatu kumuromo wedavi rokumusoro-soro, zvina kana zvishanu pamatavi okunze omuti unobereka kwazvo, ndizvo zvinotaura Jehovha, Mwari waIsiraeri.
17:7b.ISA.017.007 Nezuva iro vanhu vachatarira Musiki wavo, meso avo achaona Mutsvene waIsiraeri.
17:8b.ISA.017.008 Havangatariri aritari, iro basa ramaoko avo; zvakaitwa neminwe yavo havangavi nehanya nazvo, kana iri miti yakatsaurwa kana mifananidzo yezuva.
17:9b.ISA.017.009 Nezuva iro maguta avo akasimba achaita samatongo kumatondo napamisoro yamakomo, akasiyiwa nokuda kwavana vaIsraeri; achava matongo.
17:10b.ISA.017.010 Nokuti wakanganwa Mwari Muponesi wako, hauna kurangarira dombo routiziro hwako. Saka unozvisimira miti inofadza, unoisamo mizambiringa yakabva kumwe.
17:11b.ISA.017.011 Nomusi wokusima kwako, unouvakira ruzhowa, fume mangwana unotumbusa mbeu dzako; asi kucheka kunotiza nezuva rokutambudzika nerokuchema kukuru. Kuparadzwa kwavaAsiria
17:12b.ISA.017.012 Haiwa, kutinhira kwavanhu vazhinji, vanotinhira sokutinhira kwegungwa, nokuririma kwamarudzi avanhu anoririma sokuririma kwemvura zhinji!
17:13b.ISA.017.013 Marudzi acharirima sokuririma kwemvura zhinji; asi uchavatuka, vachatizira kure, vachadzingirirwa sehundi yamakomo pamberi pemhepo, seguruva rinopfungaira pamberi pedutu remhepo.
17:14b.ISA.017.014 Nenguva yamadekwana, tarirai, kuchava nokutyisa; mangwanani kusati kwaedza, havachipo. Ndiwo mugove wavanotipambara, nomubayiro wavanotibira.
18
18:1b.ISA.018.001 Haiwa, nyika yokuvirira kwamapapiro, iri mhiri kwenzizi dzeItiopia,
18:2b.ISA.018.002 inotuma nhume nenzira dzegungwa namagwa enhokwe pamusoro pemvura, ichiti, Endai, imi nhume dzinokurumidza, kurudzi rwavanhu vakareba vakanaka kumeso, kuvanhu vanotyiwa kwose-kwose, rudzi rune simba, runotsika-tsika pasi, rune nyika inokamurwa nenzizi.
18:3b.ISA.018.003 Imi mose muri pasi pose, nemi mugere panyika, kana mureza uchisimudzwa pamakomo, tarirai; kana hwamanda ichiridzwa, inzwai!
18:4b.ISA.018.004 Nokuti Jehovha akataura kwandiri kudai, Ndichanyarara, ndichatarira ndiri paugaro hwangu, sokupisa kwezuva pamushana, seguti pakupisa kwenguva yokukohwa.
18:5b.ISA.018.005 Nokuti kukohwa kusati kwasvika, kana maruva azuka, ruva rashanduka zambiringa roda kuibva, achagura matavi namapanga; namatavi anotandira achaabvisa nokuatema.
18:6b.ISA.018.006 Ose pamwechete achasiyirwa magora ari pamakomo, nezvikara zvenyika; magora achagara pamusoro pavo chirimo chose, nezvikara zvenyika zvichapedza chando pamusoro pavo.
18:7b.ISA.018.007 Nenguva iyo Jehovha wehondo achavigirwa zvipo norudzi rwavanhu vakareba vakanaka kumeso, vanhu vanotyiwa kwose-kwose, rudzi rune simba, runotsika-tsika pasi, rune nyika inokamurwa nenzizi, kunzvimbo yezita raJehovha wehondo, kugomo reZiyoni.
19
19:1b.ISA.019.001 .Chirevo pamusoro peIjipiti.Tarirai, Jehovha akatasva gore rinomhanya, oswedera Ijipiti; zvifananidzo zvichadedera pamberi pake, nomoyo weIjipiti uchanyauka mukati mawo.
19:2b.ISA.019.002 Ndichamutsa moyo yavaIjipiti vamukire vaIjipiti; mumwe nomumwe acharwa nehama yake, mumwe nomumwe nowakavakirana naye; guta richa mukira guta, ushe huchamukira ushe.
19:3b.ISA.019.003 Mweya weIjipiti uchapera mukati mawo; ndichaparadza kufunga kwawo; vachandobvunza zvifananidzo, navanamazango, navauki nenanga.
19:4b.ISA.019.004 Ndichaisa vaIjipiti muruoko rwamambo ane hasha; mambo anomoyo mukukutu achavabata ushe, ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha wehondo.
19:5b.ISA.019.005 Mvura ichapwa mugungwa, rwizi ruchaderera nokuoma.
19:6b.ISA.019.006 Nzizi dzichanhuwa, hova dzeIjipiti dzichava shoma nokupwa; tsanga nenhokwe dzichaoma.
19:7b.ISA.019.007 Mafuro kunhivi dzaNairi, pamhenderekedzo dzaNairi, neminda yose yakadyarwa yaNairi, zvichaoma, zvichatorwa nemhepo, hazvichazovipo.
19:8b.ISA.019.008 Vabati vehove vachachema, vose vanokandira zviredzo maNairi vachaungudza, vanokanda hutava hwavo mumvura vachapera simba.
19:9b.ISA.019.009 Uye vanobata neshinda yakanatswa, navanoruka micheka michena, vachanyadziswa.
19:10b.ISA.019.010 Mbiru dzichaputswa-putswa; vose vanobatira mubayiro vachava neshungu pamweya.
19:11b.ISA.019.011 Machinda eZoani mapenzi kwazvo; mano amakota akaisvochenjera aFarao ashanduka upenzi; munoreva seiko kuna Farao, muchiti, Ndini mwanakomana wavakachenjera, mwanakomana wamadzimambo akare?
19:12b.ISA.019.012 Varipiko zvino ivo vanhu vako vakachenjera? Ngavakuudze zvino; ngavazivise zvakafungwa naJehovha wehondo pamusoro peIjipiti.
19:13b.ISA.019.013 Machinda eZoani ava mapenzi, machinda eNofi akanyengerwa; vakarasisa Ijipiti nzira, ivo vaiva ibwe rekona ramarudzi avo.
19:14b.ISA.019.014 Jehovha akadira mweya wokuramba mukati mavo; vakarasisa Ijipiti nzira pamabasa avo vose, somunhu akabatwa nedoro anodzedzereka pakurutsa kwake.
19:15b.ISA.019.015 Saka Ijipiti haingazovi nebasa chose, ringaitwa nomusoro kana nomuswe, kana nedavi romuchindwe kana nenhokwe.
19:16b.ISA.019.016 Nezuva iro vaIjipiti vachafanana navakadzi; vachadedera nokutya nokuda kwokusimudzwa kworuoko rwaJehovha wehondo; rwaanosimudza pamusoro pavo.
19:17b.ISA.019.017 Nyika yaJudha ichava chityiso cheIjipiti; mumwe nomumwe anozviudzwa achatya nokuda kwomutemo waJehovha wehondo, waakatema pamusoro pavo.
19:18b.ISA.019.018 Nezuva iro maguta mashanu achavapo panyika yeIjipiti, anotaura rurimi rweKanani, vachipika naJehovha wehondo; mumwe achaidzwa Guta rokuparadzwa.
19:19b.ISA.019.019 Nezuva iro pakati penyika yeIjipiti pachava nearitari kuna Jehovha, nembiru pamuganho waro kuna Jehovha.
19:20b.ISA.019.020 Zvichava chiratidzo nechapupu chaJehovha wehondo panyika yeIjipiti; nokuti vachadanidzira kuna Jehovha nemhaka yavamanikidzi, achavatumira muponesi nomurwiri, iye achavaponesa.
19:21b.ISA.019.021 Jehovha achazviratidza kuIjipiti, navaIjipiti vachaziva Jehovha nezuva iro; zvirokwazvo vachamunamata nezvibayiro nezvipo, vachapikira Jehovha mhiko, nokuzviita.
19:22b.ISA.019.022 Jehovha acharova Ijipiti, achirova nokuporesazve; zvino vachadzokera kuna Jehovha, iye achanzwa kunyengetera kwavo achivaporesa.
19:23b.ISA.019.023 Nezuva iro nzira huru ichavapo inobva Ijipiti ichienda Asiria; vaAsiria vachaenda Ijipiti, navaIjipiti vachaenda Asiria; vaIjipiti vachanamata pamwechete navaAsiria.
19:24b.ISA.019.024 Nezuva iro vaIsiraeri vachava rudzi rwechitatu vachitevera Ijipiti neAsiria, vachava ruropafadzo pakati penyika;
19:25b.ISA.019.025 nokuti Jehovha wehondo akavaropafadza, achiti, VaIjipiti, vanhu vangu, navaAsiria, basa ramaoko angu, navaIsiraeri, nhaka yangu, ngavaropafadzwe.
20
20:1b.ISA.020.001 Negore rokusvika kwaTaritani paAshidhodhi, atumwa naSarigoni mambo weAsiria, akarwa neAshidhodhi nokurikunda;
20:2b.ISA.020.002 nenguva iyo Jehovha akataura naIsaya mwanakomana waAmozi, achiti, Enda, undosunungura gudza riri pazviuno zvako, ubvise shangu yako parutsoka rwako. Iye akaita saizvozvo, akafamba asine nguvo, asine shangu.
20:3b.ISA.020.003 Zvino Jehovha akati, Muranda wangu Isaya sezvaakafamba asine nguvo asine shangu makore matatu akava chiratidzo nechishamiso pamusoro peIjipiti neItiopia;
20:4b.ISA.020.004 saizvozvo mambo weAsiria achaenda navatapwa veIjipiti navakadzingwa veItiopia, vaduku navakuru Vasina nguvo vasina shangu, vakafukurwa zviuno, chive chinyadzo cheIjipiti.
20:5b.ISA.020.005 Vachavhunduswa nokunyadziswa pamusoro peItiopia, chivimbo chavo, neIjipiti rumbidzo yavo.
20:6b.ISA.020.006 Vagere panyika iyi iri pamhenderekedzo yegungwa vachati nezuva iro, Tarirai, ndizvo zvaita chivimbo chedu, kwataitizira tichitsvaka kurwirwa kuna mambo weAsiria; ko isu zvino tichapukunyuka sei?
21
21:1b.ISA.021.001 Chirevo pamusoro perenje regungwa. Zvinobva kurenje, kunyika inotyisa, sezvamupupuri zvinopfuura kurutivi rweZasi.
21:2b.ISA.021.002 Ndaratidzwa chiratidzo chinochemedza; munyengeri anoita nokunyengera, nomuparadzi anoparadza. Simuka iwe Erami, komba, iwe Medhia; ndagumisa kugomera kwavo kwose.
21:3b.ISA.021.003 Saka zviuno zvangu zvizere nokurwadziwa; ndabatwa nokurwadziwa, sokurwadziwa kwomukadzi unosununguka; ndakotamiswa, saka handigoni kunzwa; ndavhunduswa, saka handigoni kuona. ,
21:4b.ISA.021.004 moyo wangu une dzungu, ndavhunduswa nezvinotyisa; rubvunzavaeni rwandaida rwashanduka chinhu chinondidederesa.
21:5b.ISA.021.005 Vanogadzira tafura, vanoisa varindi, vanodya, vanonwa. Simukai, imi machinda, muzodze nhovo.
21:6b.ISA.021.006 Nokuti hezvi zvandaudzwa naShe, Enda, undoisa murindi; ngaareve zvaanoona;
21:7b.ISA.021.007 zvino kana achiona boka, navatasvi vamabhiza vakaita vaviri-vaviri, neboka rembongoro, neboka ramakamera, ngaateerere zvakanaka-naka.
21:8b.ISA.021.008 Iye akadanidzira seshumba, achiti, Ishe, ndimire nguva dzose masikati pashongwe yokurinda, nousiku hwose ndimire panzvimbo yangu;
21:9b.ISA.021.009 zvino tarirai, kwouya boka ravanhu, vatasvi vamabhiza vakaita vaviri-vaviri. Akapindura, akati, Bhabhironi rawa, rawa; mifananidzo yake yose yakavezwa yavamwari vavo yaputsikira pasi.
21:10b.ISA.021.010 Haiwa, vanhu vangu vakapurwa, zviyo zveburiro rangu, zvandakanzwa kuna Jehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ndizvo zvandakakuzivisai. Chirevo pamusoro peDhuma
21:11b.ISA.021.011 Chireve pamusoto peDhuma.mumwe anondidana, ari paSeiri, achiti, Nhai, murindi, inguva ipi yousiku?
21:12b.ISA.021.012 Murindi ndokuti, Mambakwedza osvika, nousikuwo. Kana muchida kubvunza, bvunzai; dzokai, uyai. Chirevo pamusoro peArabhia
21:13b.ISA.021.013 Chirevo pamusoro peArabhia. Musango reArabhia ndimo mamuchavata, imi mapoka avafambi veDhedhani.
21:14b.ISA.021.014 Vigirai ane nyota mvura! Vagere panyika yeTema vakachingamidza vatizi nechingwa chavo.
21:15b.ISA.021.015 Nokuti vakanga vachitiza minondo, minondo yakavhomorwa, nouta hwakakungwa, nokumanikidzwa kwokurwa.
21:16b.ISA.021.016 Nokuti hezvi zvandakaudzwa naJehovha, Gore risati rapera, samakore omunhu anobatira mubayiro, mbiri yose yeKedhari ichapera.
21:17b.ISA.021.017 Vakasara veboka ravanofura nouta, ivo vanhu vane simba vavana veKedhari, vachava vashoma; nokuti Jehovha, Mwari waIsiraeri, akazvitaura.
22
22:1b.ISA.022.001 Chirevo pamusoro pomupata wezvakaonekwa. Unonzweiko, zvawakwira navanhu vako vose pamatenga edzimba?
22:2b.ISA.022.002 Haiwa, iwe, uzere nokupururudza, guta rine bope, musha unomufaro; vakaurawa vako havana kuurawa nomunondo, havana kufira pakurwa.
22:3b.ISA.022.003 vabati vako vose vakatiza pamwechete, vakasungwa vasina uta; vose vako, vakawanikwa, vakasungwa pamwechete; vakatizira kure.
22:4b.ISA.022.004 Naizvozvo ndakati, Regai kunditarira, ndinoda kuchema kwazvo; musaramba muchiedza kundinyaradza pamusoro pokuparadzwa kwomukunda wavanhu vangu.
22:5b.ISA.022.005 Nokuti izuva rokuvhundusa, nerokutsikira pasi, nerokukanganisa, zvinobva kuna She, Jehovha wehondo, pamupata wokuratidzwa; rokukoromorwa kwamasvingo, nerokudanidzira kumakomo.
22:6b.ISA.022.006 Erami akabata goba, pamwechete namapoka avanhu navatasvi vamabhiza, Kiri akafudugura nhovo.
22:7b.ISA.022.007 Ipapo mipata yenyu yakaisvonaka yakazara nengoro, navatasvi vamabhiza vakazvigadzirira kurwa pasuo.
22:8b.ISA.022.008 Vakabvisa chifukidziro chaJudha; nezuva iro mukatarira nhumbi dzokurwa muimba yomudondo.
22:9b.ISA.022.009 Mukaona pakakoromoka paguta raDhavhidhi, kuti pakanga pari pazhinji, mukachingidzira mvura yedziva rezasi;
22:10b.ISA.022.010 mukaverenga dzimba dzeJerusaremu, mukakoromora dzimba kuti musimbise rusvingo;
22:11b.ISA.022.011 mukaitawo gungwa pakati pamasvingo maviri rokuchingidzira mvura yedziva rakare. Asi hamuna kutarira iye akazviita, makanga musine hanya naiye akazvifunga kare.
22:12b.ISA.022.012 Zvino nezuva iro Ishe, Jehovha wehondo, akakudanirai kumisodzi, nokukuchema, nokukuveurwa mhanza, nokukufuka makudza;
22:13b.ISA.022.013 asi tarirai, makava nomufaro nokupembera, nokubayiwa kwemombe, nokushinjiwa kwamakwai, nokudyiwa kwenyama nokunwiwa kwewaini, muchiti, Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tinofa.
22:14b.ISA.022.014 Asi Jehovha wehondo wakazvizivisa munzeve dzangu, akati, Zvirokwazvo, hamungakanganwirwi zvakaipa izvi, kusvikira pakufa kwenyu, ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha wehondo. Mutariri Shebhina achabviswa, Eriakini achapinda panzvimbo yake
22:15b.ISA.022.015 Zvanzi naShe, Jehovha wehondo, Enda kumuchengeti uyu wefuma, kuna Shebhina, unotarira imba yamambo, uti,
22:16b.ISA.022.016 Unobateiko pano? Unaniko pano, zvawazvivezera bwiro pano? Somunhu anozvivezera bwiro pakakwirira, anozvicherera ugaro hwake padombo!
22:17b.ISA.022.017 Tarira, Jehovha, achakurasira kure nesimba somurume; zvirokwazvo, achakupeta-peta.
22:18b.ISA.022.018 Zvirokwazvo achakupomba-pomba, ndokukukandira sehurungudo munyika yakapamhamha; ndipo pauchafira, ndipo pachava nengoro dzembiri yako, iwe munyadzi weimba yatenzi wako.
22:19b.ISA.022.019 Ndichakudzinga pabasa rako, iye uchakukwevera pasi ubve panzvimbo yako.
22:20b.ISA.022.020 Zvino nezuva iro ndichadana muranda wangu Eriakimi, mwanakomana waHirikia;
22:21b.ISA.022.021 ndichamufukidza nguvo yako, nokumusimbisa nebhanhire rako, ndigoisa ushe hwako muruoko rwake; iye achava baba kuna vagere Jerusaremu, nokuimba yaJudha.
22:22b.ISA.022.022 Ndichaisa kiyi yeimba yaDhavhidhi pafudzi rake; iye achazarura, hapana angazarira, iye achazarira, hapana angazarura.
22:23b.ISA.022.023 Ndichamurovera pakasimba sembambo; achava chigaro chinokudzwa paimba yababa vake.
22:24b.ISA.022.024 Vachaturika paari kukudzwa kwose kweimba yababa vake, matavi namabukira, nemidziyo yose miduku, kubvira pamikombe kusvikira pamakate.
22:25b.ISA.022.025 Nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, mbambo yakanga yaroverwa pakasimba, ichabva; ichatemwa, ndokuwira pasi; nomutoro wakanga wakaturikwa pairi, uchatemwa; nokuti Jehovha akataura izvozvo.
23
23:1b.ISA.023.001 Chirevo pamusoro peTire. Chemai, imi, zvikepe zveTarishishi; nokuti raparadzwa, hapachine imba, kana pangapindwapo; vakaratidzwa izvozvo vari panyika yeKitimi.
23:2b.ISA.023.002 Imi mugere pamhenderekedzo yegungwa, nyararai, iyemi maifumiswa navatengesi veSidhoni, vanofamba negungwa.
23:3b.ISA.023.003 fuma yaro zvaiva zviyo zveShihori, zvibereko zveNairi, paitengeswa zvose zvamarudzi avanhu.
23:4b.ISA.023.004 Nyara, iwe Sidhoni, nokuti gungwa rataura, nenhare yegungwa, richiti, Handina kurwadziwa, handina kubereka, handina kurera majaya, kana kukurisa mhandara.
23:5b.ISA.023.005 Kana shoko richisvika Ijipiti, vachava neshungu kwazvo pamusoro peshoko reTire.
23:6b.ISA.023.006 Yambukirai Tarishishi; chemai imi mugere pamhenderekedzo yegungwa.
23:7b.ISA.023.007 Gara ndiro guta renyu raifara, raivapo kubva kare nakare, raiiswa kurekure netsoka dzaro, kundogarako?
23:8b.ISA.023.008 Ndianiko akafungira Tire izvozvo, iro raipavhurira korona, vatengesi varo vaiva machinda, navashambadziri varo vaiva vanokudzwa panyika?
23:9b.ISA.023.009 Jehovha wehondo ndiye akazvifunga, kuti amhure kuzvikudza kwezvose zvinokudzwa, nokuzvidza vose vanokudzwa panyika.
23:10b.ISA.023.010 Pararira panyika yako seNairi, iwe mukunda weTarishishi; hakuchine bhanhire rinokusunga.
23:11b.ISA.023.011 Akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, akazunungusa ushe; Jehovha akaraira pamusoro peKanani, kuti nhare dzayo dziparadzwe.
23:12b.ISA.023.012 Akati, Hauchazofari, iwe mukunda weSidhoni, mhandara yakamanikidzwa; simuka, uyambukire Kitimi; naikoko haungawani zororo.
23:13b.ISA.023.013 Tarirai nyika yavaKaradhea; rudzi urwo haruchipo; vaAsiria vakaiita nyika yezvikara zverenje; vakamisa shongwe dzavo, vakawisa dzimba dzoushe dzaivamo, vakaiita dongo.
23:14b.ISA.023.014 Chemai, imi zvikepe zveTarishishi; nokuti nhare yenyu yaparadzwa.
23:15b.ISA.023.015 Zvino nenguva iyo Tire richakanganikwa makore makumi manomwe, zvakaenzana namakore amambo mumwechete; kana makore makumi manomwe apera, Tire richaitirwa sezvinoimbwa parwiyo rwechifeve, runoti,
23:16b.ISA.023.016 Iwe chifeve, wakanganikwa, tora mbira upote neguta; ridza zvakanaka, imba nziyo dzakanaka, kuti urangarirwe.
23:17b.ISA.023.017 Zvino kana makore makumi manomwe apera, Jehovha achashanyira Tire, ipapo richadzokera kumubayiro waro, ndokufeva noushe hwose hwenyika huri pasi pose.
23:18b.ISA.023.018 Zvarakashambadzira, nomubayiro waro, zvichava zvitvsene kuna Jehovha; hazvingachengetwi kana kuvigwa, nokuti zvarakashambadzira zvichava zvavanogara pamberi paJehovha, kuti vagute kwazvo, vafuke nguvo dzakanaka.
24
24:1b.ISA.024.001 Tarirai, Jehovha anobvisa zvose panyika nokuiparadza, nokuitsindikira, nokuparadzira vagere mairi.
24:2b.ISA.024.002 Vanhu vachaitirwa zvinoitirwa mupirisiti, muranda zvinoitirwa tenzi wake, mushandiri zvinoitirwa vahosi vake, mutengi zvinoitirwa mutengesi, anopa chikwerete zvinoitirwa anokwereta, anoripa mhindu zvinoitirwa anoreva mhindu.
24:3b.ISA.024.003 Nyika ichabvisirwa zvose zvayo, ichaparadzwa chose; nokuti Jehovha akataura shoko iro.
24:4b.ISA.024.004 Nyika inochema nokuoma, pasi pose panopera simba nokuoma, vanhu vakakudzwa venyika vanopera simba.
24:5b.ISA.024.005 Nyika yakasvibiswawo navagere mairi; nokuti vakadarika mirayiro, vakakanganisa mitemo, nokuputsa sungano isingaperi.
24:6b.ISA.024.006 Saka kutuka kwaMwari kwapedza nyika, navageremo vava nemhosva; saka vagere munyika vapiswa, vangosara vanhu vashoma.
24:7b.ISA.024.007 Waini itsva inochema, muzambiringa wapera simba, vose vanomoyo unofara vanogomera.
24:8b.ISA.024.008 Kufara kwengoma kwonyarara, inzwi ravanofara ropera, mufaro wembira wopera.
24:9b.ISA.024.009 Havanganwi waini vachiimba; zvinobata zvichavava kuna vanozvinwa.
24:10b.ISA.024.010 Guta, rava dongo, rakoromorwa; dzimba dzose dzakapfigwa, kuti kurege kuva nomunhu angapindamo.
24:11b.ISA.024.011 Kuchema kunonzwikwa panzira dzomumisha nokuda kwewaini; mufaro wose wasviba, kufara kwenyika kwaenda.
24:12b.ISA.024.012 Muguta masara mangova dongo, suo raputswa nokuparadzwa.
24:13b.ISA.024.013 Nokuti ndizvo zvazvichaita panyika pakati pamarudzi avanhu, zvichafanana nokuzuzwa kwomuorivhi, nezvakasara kana mazambiringa akohwiwa.
24:14b.ISA.024.014 Ivo vachadanidzira, vachapururudza; nokuda kwoumambo hwaJehovha vanodanidzira vari pagungwa.
24:15b.ISA.024.015 Saka rumbidzai Jehovha kumabvazuva, iro zita raJehovha, Mwari waIsiraeri, pazvitsuwa zvegungwa.
24:16b.ISA.024.016 Takanzwa nziyo dzichiimbwa kumigumo yenyika, dzichiti, Vakarurama ngavakudzwe! Asi ini ndakati, Ndinoonda, ndinoonda, ndine nhamo! Vanyengeri vakaita nokunyengera; zvirokwazvo, vanyengeri vakaita nokunyengera kukuru.
24:17b.ISA.024.017 Kutya, negomba, nomusungo zvichakuwira, iwe ugere panyika.
24:18b.ISA.024.018 Zvino, anotiza bope rokutyisa, achawira mugomba; anokwira achibva mukati megomba, achabatwa nomusungo; nokuti mahwindo okumusoro azaruka, nenheyo dzenyika dzinodedera.
24:19b.ISA.024.019 Nyika yaputswa-putswa chose, nyika yodedera chose, nyika yozununguswa chose.
24:20b.ISA.024.020 Nyika ichadzedzereka somunhu akabatwa, ichadengenyeka sedumba; kudarika kwayo kuchairemedza kwazvo, ichawa, ikasasimukazve.
24:21b.ISA.024.021 Zvino nezuva iro Jehovha acharova hondo yavakakudzwa vari kumusoro, namadzimambo enyika panyika.
24:22b.ISA.024.022 Vachaunganidzwa pamwechete, sezvinounganidzwa vasungwa mugomba, vachapfigirwa mutorongo; zvino kana mazuva mazhinji apfuura vachashanyirwa.
24:23b.ISA.024.023 Ipapo mwedzi uchanyadziswa, nezuva richanyara; nokuti Jehovha wehondo achabata ushe pagomo reZiyoni, napaJerusaremu, pamberi pavakuru vake pachava nokukudzwa.
25
25:1b.ISA.025.001 Jehovha, ndimi Mwari wangu! Ndicharumbidza zita renyu; no kuti makaita zvinoshamisa, izvo zvamakafunga kare nokutendeka nezvokwadi.
25:2b.ISA.025.002 Nokuti guta makariita dutu ramabwe, guta rakakombwa norusvingo makariita dongo, imba huru yavatorwa rirege kuva guta; haringatongovakwi.
25:3b.ISA.025.003 Naizvozvo rudzi rurukuru ruchakukudzai; guta ramarudzi avanhu vanotyisa richakutyai.
25:4b.ISA.025.004 Nokuti imi maiva nhare yavarombo, nhare younoshaiwa pakutambudzika kwake, utiziro panguva yemvura zhinji, mumvuri pakupisa kwezuva, kana mhepo yavanotyisa ichiita semvura zhinji.
25:5b.ISA.025.005 Muchaderedza bope ravatorwa, sezvinoita kupisa kwezuva panzvimbo yakaoma, rwiyo rwavanotyisa ruchaderedzwa, sezvinoitwa kupisa nomumvuri wegore.
25:6b.ISA.025.006 Pagomo iri Jehovha wehondo achagadzirira marudzi ose avanhu mutambo wezvakakora, mutambo wewaini yakagara pamasese, wezvakakora zvizere nomwongo, wewaini yakagara pamasese yakasvinwa zvakanaka.
25:7b.ISA.025.007 Pagomo iri uchaparadza chifukidziro chinofukidzira vanhu vose, nechidzitiro chakatasanurwa pamusoro pamarudzi ose.
25:8b.ISA.025.008 Akaparadza rufu nokusingaperi, Ishe Jehovha achapisika misodzi pazviso zvose; achabvisa kuzvidzwa kwavanhu vake panyika yose; nokuti Jehovha akataura izvozvo.
25:9b.ISA.025.009 Nezuva iro vachati, Tarirai, uyu ndiye Mwari wedu; takanga takamumirira, iye achatiponesa; uye ndiye Jehovha, takanga takamumirira, tichafara, nokufarira ruponeso rwake.
25:10b.ISA.025.010 Nokuti ruoko rwaJehovha ruchagara pagomo iri; Moabhi vachatsikwa pasi panzvimbo yavo, sezvinotsikwa mashanga mumvura iri mugomba romupfudze.
25:11b.ISA.025.011 Achatambanudza maoko ake imomo, somunhu anotambanudza maoko ake kana achishambira; asi Jehovha achaderedza kuzvikudza kwake pamwechete nenjere dzamaoko ake.
25:12b.ISA.025.012 Nhare yakakwirira yamasvingo enyu, wakaiwisira pasi, wakaideredza, wakaiputsira muvhu, imo muguruva.
26
26:1b.ISA.026.001 Nezuva iro rwiyo urwu ruchaimbwa panyika yavaJudha: Tine guta rakasimba; iye achaisapo masvingo nenhare ruve ruponeso.
26:2b.ISA.026.002 Zarurai masuo, kuti rudzi rwakarurama, runochengeta chokwadi, rupinde.
26:3b.ISA.026.003 Anomoyo wakasimba muchamuchengeta murugare rukuru, nokuti anovimba nemi.
26:4b.ISA.026.004 Vimbai naJehovha nokusingaperi, iye Jehovha ndiye dombo nokusingaperi.
26:5b.ISA.026.005 Nokuti akaderedza vagere pakakwirira, iro guta riri kumusoro, anorideredza, anorideredza kusvikira pavhu; anoriputsira pasi muguruva.
26:6b.ISA.026.006 Richatsikwa netsoka, idzo tsoka dzavarombo, nokutsika kwavanoshaiwa.
26:7b.ISA.026.007 Nzira yavakarurama yakarurama; imi munoruramisa nzira yavakarurama.
26:8b.ISA.026.008 Zvirokwazvo, takakumirirai Jehovha, panzira yokutonga kwenyu; mweya yedu inoshuva zita renyu nechirangaridzo chenyu.
26:9b.ISA.026.009 Ndakakushuvai nomweya wangu usiku; zvirokwazvo, ndichakutsvakai zvikuru nomweya wangu uri mukati mangu; nokuti kana kutonga kwenyu kuri panyika, vanhu vagere munyika vanodzidza zvakarurama.
26:10b.ISA.026.010 Akaipa kunyange achinzwirwa tsitsi, haangadzidzi zvakarurama; achaita hake zvisakarurama panyika yakarurama, haangaoni umambo hwaJehovha.
26:11b.ISA.026.011 Jehovha, ruoko rwenyu rwakasimudzwa, asi ivo havaoni; asi vachaona kushingaira kwenyu pamusoro pavanhu, vakanyadziswa; zvirokwazvo moto uchapedza vavengi venyu.
26:12b.ISA.026.012 Jehovha, imi muchatigadzirira rugare; nokuti makatibatirawo mabasa edu ose.
26:13b.ISA.026.013 Jehovha Mwari wedu, mamwe madzishe kunze kwenyu akanga akatibata; asi ticharumbidza zita renyu tichibatsirwa nemi moga.
26:14b.ISA.026.014 Vakafa havangararamizve, vaparara, havazomukizve; saka makasvika kwavari, mukavaparadza, nokugumisa kurangarirwa kwavo kwose.
26:15b.ISA.026.015 Mawanza rudzi, Jehovha, mawanza rudzi; makurumbira, makurisa miganho yose yenyika.
26:16b.ISA.026.016 Jehovha, vakakutsvakai panguva yokutambudzika; vakadurura munyengetero muchivaranga.
26:17b.ISA.026.017 Mukadzi ane pamuviri, asvika pedo pakusununguka, sezvaanorwadziwa achichema pakurwadziwa kwake, ndizvo zvatakanga takaita pamberi penyu, Jehovha.
26:18b.ISA.026.018 Isu takanga tava nepamuviri, takanga tiri pakurwadziwa, takabereka zvinenge mhepo bedzi; hatina kuvigira nyika sununguro, uye vangagara panyika havana kuzvarwa.
26:19b.ISA.026.019 Vakafa venyu vachararama, zvitunha zvavo zvichamuka. Mukai, muimbe, imi mugere muguruva; nokuti dova renyu rakaita sedova rechiedza; nyika ichabudisa vakafa.
26:20b.ISA.026.020 Uyai vanhu vangu, pindai muimba yenyu yomukati, mupfige mikova yenyu shure kwenyu; muvande nguva duku, kusvikira kutsamwa kwapfuura.
26:21b.ISA.026.021 Nokuti tarira Jehovha anobuda panzvimbo yake kurova vagere panyika nokuda kwezvivi zvavo; nyikawo ichafukura ropa rayo, ikasazofukidzazve vakaurawa vayo.
27
27:1b.ISA.027.001 Nezuva iro Jehovha acharova nomunondo wake mukukutu, mukuru, noune simba, revhiatani, iyo nyoka inokurumidza, iyo, nyoka yakagonyana; achauraya chikara chiri mugungwa.
27:2b.ISA.027.002 Nezuva iro vachaimba vachiti, Munda wemizambiringa, chiumbira!
27:3b.ISA.027.003 Ini Jehovha ndini muchengeti wawo; ndichaudiridza nguva imwe neimwe; ndichauchengeta masikati nousiku, kuti urege kutadzirwa nomunhu.
27:4b.ISA.027.004 Ini handina hasha; dai rukato neminzwa zvairwa neni! Ndaizvivamba, ndaizvipisa pamwechete.
27:5b.ISA.027.005 Kana asingadaro, ngaabate simba rangu, ayanane neni, ngaayanane neni.
27:6b.ISA.027.006 Namazuva anouya Jakobho achamera midzi; Isiraeri achatunga maruva nokutumbuka; vachazadza nyika yose nezvibereko.
27:7b.ISA.027.007 Ko akavarova iye sezvaakarova avo vakavarova here? Ko vakaurawa nokuurawa kwaivo vakaurawa navo here?
27:8b.ISA.027.008 Pakuvadzinga kwenyu makarwa navo nechiyero chakafanira; wakavabvisa nemhepo yake ine simba nezuva remhepo yokumabvazuva.
27:9b.ISA.027.009 Saka nenzira iyi zvakaipa zvaJakobho zvichadzikunurwa; izvi ndizvo zvibereko zvose zvokubviswa kwezvivi zvake, kana achiita mabwe ose earitari ave samabwe omunyaka akaputswa-putswa, kuti miti yakatsaurwa nemifananidzo yezuva zvirege kuzomiswa.
27:10b.ISA.027.010 Nokuti guta, rakakombwa norusvingo, rasiyiwa riri roga, hwava hugaro hwasiyiwa riri dongo, serenje; ndipo pachava namafuro emhuru, ndipo paichavata pasi, ichidya mashizha apo.
27:11b.ISA.027.011 Kana matavi apo aoma, achavhunwa; vakadzi vachauya vachiapisa; nokuti vanhu ava havana njere; saka akavaita haangavi netsitsi navo, akavaumba haangavi norudo navo.
27:12b.ISA.027.012 Zvino nezuva iro Jehovha achapura zviyo kubvira pamvura yoRwizi kusvikira parukova rweIjipiti; imi muchaunganidzwa, muchiita mumwe-mumwe, imi vana vaIsiraeti.
27:13b.ISA.027.013 Zvino nezuva iro hwamanda huru icharidzwa; vakanga voparara panyika yeAsiria, navakanga vadzingirwa kunyika yeIjipiti, vachauya; vachanamata Jehovha pagomo dzvene paJerusaremu.
28
28:1b.ISA.028.001 Korona, inozvikudza, yavakabatwa vokwaEfuremu, ine nhamo, uye ruva, rinooma, rokunaka kwake kukuru, riri pamusoro womupata wakaworera wavakakundwa newaini.
28:2b.ISA.028.002 Tarirai, Ishe anomumwe anesimba anokurira; achawisira pasi noruoko rwake sedutu guru rine chimvuramabwe, sedutu rinoparadza, sokunaya kwemvura zhinji inokukura kwose.
28:3b.ISA.028.003 Korona inozvikudza yavakabatwa vokwaEfuremu ichatsikwa pasi netsoka;
28:4b.ISA.028.004 ruva, rinooma, rokunaka kwake kukuru, riri pamusoro womupata wakaworera richava sewonde rinotanga kuibva zhizha richigere kusvika; rinoti richatarirwa noariona, ndokuridya richiri muruoko rwake.
28:5b.ISA.028.005 Nezuva iro Jehovha wehondo achava korona inobwinya noukomba hwakaisvonaka kuna vakasara vavanhu vake;
28:6b.ISA.028.006 nomweya wokururamisa kunoagere pakutonga, nesimba kuna vanodzosera vanorwa pasuo.
28:7b.ISA.028.007 Asi naivo vanodzungunyika newaini, vanodzedzereka nezvinobata; mupirisiti nomuporofita vanodzungunyika nezvinobata, vakamwedzwa newaini, vanodzedzereka nezvinobata; vanokanganiswa pakuona, vanogumburwa pakutonga.
28:8b.ISA.028.008 Nokuti matafura avo azere namarutsi anosemesa, hapana pakanaka.
28:9b.ISA.028.009 Ndianiko waachadzidzisa ruzivo? Ndianiko waachadzidzisa kunzwisisa shoko? Ivo vakarumurwa pamukaka, vakabviswa pazamu here?
28:10b.ISA.028.010 Nokuti zvinongoti chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, murayiro pamusoro pomurayiro, murayiro pamusoro pomurayiro, apa zvishoma, napapo zvishoma.
28:11b.ISA.028.011 Zvirokwazvo achataura norudzi urwu navanhu vane miromo yorumwe rudzi, norurimi rwokumwe;
28:12b.ISA.028.012 akati kwavari, Zororo riri pano, zorodzai vakaneta; pano ndipo panokutonhorera; asi vakaramba kuteerera.
28:13b.ISA.028.013 Saka shoko raJehovha richava kwavari, chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, murayiro pamusoro pomurayiro, murayiro pamusoro pomurayiro, apa napapo zvishoma; kuti vaende, vawe nenhendashure, vavhunike, vabatwe nomusungo, vatapwe.
28:14b.ISA.028.014 Naizvozvo inzwai shoko raJehovha, imi vadadi, vanobata noushe vanhu ava vari paJerusaremu,
28:15b.ISA.028.015 Imi zvamakati, Takaita sungano norufu, takatenderana neSheori, kana shamhu, inokukura, ichipfuura, haingasviki kwatiri, nokuti nhema takadziita utiziro hwedu, takandovanda pasi pokunyengetera;
28:16b.ISA.028.016 naizvozvo Ishe Jehovha anoti, Tarirai, ndinoisa paZiyoni ibwe rive nheyo, riri ibwe rakaedzwa, rinokosha rekona kuita nheyo yakasimba; anotenda haakurumidzi.
28:17b.ISA.028.017 Kururamisira ndichakuita rwonzi, nokururama ndichakuita chokururamisa nacho; chimvuramabwe chichakukura utiziro hwenhema, mvura ichafukidza nzvimbo yokuvanda.
28:18b.ISA.028.018 Sungano yenyu yamakaita norufu ichadzimwa, nokutenderana kwenyu neSheori hakungamiri; kana shamhu, inokukura, ichipfuura, muchatsikwa pasi nayo.
28:19b.ISA.028.019 Nguva imwe neimwe kana ichipfuura, ichakutorai; nokuti masikati nousiku, mangwanani namangwanani, ichapfuura, kuchangonotyisa bedzi kunzwisisa mharidzo yakadaro.
28:20b.ISA.028.020 Nokuti mubhedha uchava mupfupi, munhu haangagoni kutandavara pamusoro pawo, nejira richava duku, munhu haangagoni kuzvifukidza naro.
28:21b.ISA.028.021 Nokuti Jehovha achasimuka sezvaakaita pagomo rePerazimi, achatsamwa sezvaakaita pamupata weGibhiyoni; kuti abate basa rake, iro basa rake rinoshamisa, nokuita izvo zvaanoita, zvinoshamisa.
28:22b.ISA.028.022 Naizvozvo regai kuva vadadi, kuti zvisungo zvenyu zvirege kusimbiswa; nokuti ndakanzwa kuna Ishe Jehovha wehondo kuti nyika yose yakatemerwa kuparadzwa.
28:23b.ISA.028.023 Rerekai nzeve dzenyu, munzwe inzwi rangu; teererai, munzwe kutaura kwangu.
28:24b.ISA.028.024 Ko murimi, anoda kudzvara, unoswera achirima here? Anoswera achiparura munda nokuputsa mavhinga here?
28:25b.ISA.028.025 Kana achinge aenzanisa ivhu rawo, haakushi kumini nhema here, nokudzvara kumini, nokuisa zviyo mumisara, nebhari pandima dzakatarwa, nesipereti kunhivi dzawo here?
28:26b.ISA.028.026 Nokuti Mwari wake anomuzivisa zvakanaka nokumudzidzisa.
28:27b.ISA.028.027 Nokuti kumini nhema haipurwi nomupuro unopinza, negumbo rengoro harikunguruswi pamusoro pekumini; asi kumini nhema inopurwa netsvimbo, nekumini neshamhu.
28:28b.ISA.028.028 Zviyo zvechingwa zvinokuyiwa, haangarambi achizvipura; kunyange gumbo rengoro yake namabhiza ake zvichizviparadzira, haangazvikuyi.
28:29b.ISA.028.029 Naizvozvi zvinobva kuna Jehovha wehondo, anoshamisa nezvaanofunga, mukuru kwazvo pakubata kwake.
29
29:1b.ISA.029.001 Arieri, Arieri, une nhamo, iwe guta maidzika Dhavhidhi matende ake! Wedzerai gore pagore, nguva dzemitambo ngadzisvike;
29:2b.ISA.029.002 ipapo ndichamanikidza Arieri, kuchema nokuungudza zvichavapo; richava kwandiri seArieri.
29:3b.ISA.029.003 Ndichakukomba panhivi dzose, ndichakukomba navarwi vanorindira, ndichavaka masvingo okurwa newe.
29:4b.ISA.029.004 Uchawiswa pasi, uchataura uri pasi muvhu; kutaura kwako kuchabva pasi muguruva; inzwi rako richava seresvikiro rinobva pasi muvhu, kutaura kwako kuchaita zevezeve kuchibva muguruva.
29:5b.ISA.029.005 Asi vavengi vako vazhinji vachava seguruva rakatsetseka, navanotyisa sehundi inopepereka; zvirokwazvo zvichaitwa kamwe-kamwe, pakarepo.
29:6b.ISA.029.006 Uchashanyirwa naJehovha wehondo nokutinhira, nokudengenyeka kwenyika, nomubvumo mukuru, nechamupupuri, nedutu guru, nomurazvo womoto unopedza zvose.
29:7b.ISA.029.007 Kuwanda kwamarudzi ose anorwa neArieri, ivo vose vanorwa naro nenhare yaro, vachaita sezvinorotwa, sezvinoonekwa usiku.
29:8b.ISA.029.008 Zvichafanana nokurota kwomunhu ane nzara, achiti ndinodya; asi anopepuka, ndokuwana mweya wake usine chinhu; kana sokurota kwomunhu ane nyota, achiti ndinonwa; asi anopepuka, wanei aziya, mweya wake unopanga mvura; ndizvo zvichaita kuwanda kwamarudzi ose anorwa negomo reZiyoni.
29:9b.ISA.029.009 Mirai mushame! Zvipofumadzei, muve mapofu! Vakabatwa, asi havana kubatwa newaini, vanodzedzereka, asi havadzedzereki nezvinobata.
29:10b.ISA.029.010 Nokuti Jehovha wakadurura pamusoro penyu mweya wokubatwa nehope kwazvo, akafumbira meso enyu, vaporofita; nemisoro yenyu, vaoni, wakavafukidza.
29:11b.ISA.029.011 Kuona kwose kwava kwamuri samashoko orugwaro rwakanamirwa, runopiwa munhu anogona kurava zvichinzi,Dorava hako izvizvi; iye ndokuti, Handigoni, nokuti rwakanamirwa;
29:12b.ISA.029.012 zvino rugwaro runopiwa usina kudzidza, zvichinzi, Dorava hako izvozvi; iye ndokuti, Handina kudzidza.
29:13b.ISA.029.013 Ishe akati, Ava vanhu zvavanoswedera kwandiri, vachindikudza nomuromo wavo uye nemiromo yavo, asi moyo yavo vakaiisa kure neni, nokunditya kwavo zvawava murayiro wavanhu wavakadzidziswa;
29:14b.ISA.029.014 naizvozvo tarirai, ndichapfuura ndichiita pakati pavanhu ava basa rinoshamisa, basa rinoshamisa nechishamiso; uchenjeri hwavakachenjera vavo huchapera, nenjere dzavanhu vavo vakangwara dzichavanzwa.
29:15b.ISA.029.015 Vane nhamo vanotsvaka kuvanzira Jehovha mano avo pakadzika, mabasa avo ari murima, vachiti, Ndiani anotiona, ndiani anotiziva?
29:16b.ISA.029.016 Haiwa, kutadza kwenyu! Ko muumbi wehari akaenzana nevhu here, kuti chakaitwa chiti pamusoro pomuiti wacho, Iye haana kundiita; kana chakaumbwa chiti pamusoro pomuumbi wacho, Iye haana njere?
29:17b.ISA.029.017 Ko hakuna kusara chinguva chidukuduku here, Rebhanoni richashandurwa rive munda unobereka zvakanaka, nomunda unobereka zvakanaka uchanzi idondo?
29:18b.ISA.029.018 Zvino nezuva iro vamatsi vachanzwa mashoko orugwaro, meso amapofu achaona ari pakasviba napanerima.
29:19b.ISA.029.019 Vanyoro vachawedzerawo mufaro wavo muna Jehovha, varombo pakati pavanhu vachafara kwazvo muMutsvene waIsiraeri.
29:20b.ISA.029.020 Nokuti anotyisa aparadzwa, mudadi aguma, navose vanogarira zvakaipa vabviswa;
29:21b.ISA.029.021 ivo vanopomera munhu mhaka nokuda kweshoko, vanoteyira munhu musungo, anoraira vamwe pasuo, vanoramba kururamisira wakarurama nemhaka dzamano-mano.
29:22b.ISA.029.022 Saka zvanzi naJehovha, akadzikunura Abhurahamu, pamusoro peimba yaJakobho, Jakobho haanganyadziswi zvino, chiso chake zvino hachingacheneruki.
29:23b.ISA.029.023 Asi kana achiona vana vake, iro basa ramaoko angu, pakati pake, vachati zita rangu idzvene; zvirokwazvo, vachati Mutsvene waJakobho mutsvene, vachatya Mwari waIsiraeri.
29:24b.ISA.029.024 Vakarasika pamweyawo vachava nenjere, vanonyunyuta vachadzidziswa.
30
30:1b.ISA.030.001 Zvanzi naJehovha, Vane nhamo vana vanondimukira, vanofunga mano vasingandibvunzi, vanoita sungano zvisingabvi paMweya wangu,kuti vawedzere zvivi nezvivi;
30:2b.ISA.030.002 vanozvirongedza kuenda Ijipiti, vasina kundibvunza, kuti vazvisimbise nesimba raFarao, nokuvanda mumumvuri weIjipiti.
30:3b.ISA.030.003 Naizvozvo simba raFarao richakunyadzisai, kuvanda kwenyu mumumvuri waFarao kuchava kukanganisa kwenyu.
30:4b.ISA.030.004 Nokuti machinda avo ari paZoani, nhume dzake dzakasvika Hanesi.
30:5b.ISA.030.005 Vose vachanyadziswa pamusoro porudzi rwavanhu vasingagoni kuvafumisa, vasingavabatsiri kana kuvafumisa, asi kuvanyadzisa nokuvashovodza.
30:6b.ISA.030.006 Chirevo pamusoro pezvikara zvenyika yezasi. Panyika yokutambudzika neyokuchema, kunobva shumba hadzi negonho, nenyoka, nenyoka yomoto inobhururuka, ndipo pavanotakudza fuma yavo pamusoro pamafudzi avana vembongoro, nezvinokosha zvavo panyundwa dzemakamera, vachizviisa kuvanhu vasingavafumisi.
30:7b.ISA.030.007 Nokuti Ijipiti inobatsira pasina, zvisina maturo; saka ndakaitumidza zita rokuti, Rahabhi anongogara zvake.
30:8b.ISA.030.008 Zvino chienda, uzvinyore pamberi pavo pahwendefa rebwe, uzvinyore mubhuku, zvivepo panguva inouya nokusingaperi-peri.
30:9b.ISA.030.009 Nokuti ava rudzi runondimukira, vana vane nhema, vana vasingadi kunzwa murayiro waJehovha;
30:10b.ISA.030.010 vanoti kuvaoni, Musaona; nokuvaporofita. Musatiporofitira zvinhu zvakarurama, tiudzei zvinofadza, tiporofitire zvinonyengera,
30:11b.ISA.030.011 ibvai panzira, tsaukai pagwara, bvisai Mutsvene waIsiraeri pamberi pedu.
30:12b.ISA.030.012 Naizvozvo zvanzi noMutsvene waIsiraeri, Zvamunozvidza shoko iri, muchivimba nokumanikidzwa nokunyengera, muchizvitenda izvo;
30:13b.ISA.030.013 naizvozvo kuipa uku kuchava kwamuri sapakakoromoka panoda kuwa, panotsveyama parusvingo rwakareba, panowa kamwekamwe pakarepo.
30:14b.ISA.030.014 Uchaiputsa sezvinoputswa mudziyo womuumbi, uchaiputsa-putsa asine nyasha, kusvikira pachishaikwa pakati pezvimedu zvayo chaenga chokundogoka moto nacho pachoto, kana kutekesa mvura nacho patsime.
30:15b.ISA.030.015 Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, Mutsvene waIsiraeri, Pakudzoka nokuzorora ndipo panoruponeso rwenyu, pakunyarara napakutenda ndipo pachava nesimba renyu; asi makaramba,
30:16b.ISA.030.016 mukati, Kwete, tichatiza takatasva mabhiza; saka muchatiza zvenyu; uyezve, Tichatasva mabhiza anomhanyisa; saka vanodzingana nemi vachamhanyisa.
30:17b.ISA.030.017 Vane chiuru vachatiza kana vachivambwa nomumwe; muchatiza kana muchivambwa navashanu; kusvikira masiyiwa sedanda pamusoro pegomo, somureza pamusoro pechikomo.
30:18b.ISA.030.018 Naizvozvo Jehovha achambomira, kuti akunzwirei tsitsi; naizvozvo achakudzwa, kuti ave nenyasha nemi, nokuti Jehovha ndiMwari wokururamisira; vakaropafadzwa vose vanomumirira.
30:19b.ISA.030.019 Nokuti vanhu vachagara paZiyoni paJerusaremu; hamungazochemi, zvirokwazvo achakunzwirai tsitsi, kana achinzwa kuchema kwenyu; kana achinzwa, achakupindurai.
30:20b.ISA.030.020 Kunyange Ishe akakupai chingwa chenhamo nemvura yokutambudzika, kunyange zvakadaro vadzidzisi venyu havangavandi, asi meso enyu achaona vadzidzisi venyu;
30:21b.ISA.030.021 nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu, richiti, Heyi nzira, fambai nayo! Kana muchida kutsaukira kurudyi, kana zvimwe muchida kutsaukira kuruboshwe.
30:22b.ISA.030.022 Muchashatisa sirivha yakafukidza mifananidzo yenyu yakavezwa, nendarama yakanamirwa pamifananidzo yenyu yakaumbwa; uchairashira kure sechinhu chakashata; uchati kwachiri, Ibva pano.
30:23b.ISA.030.023 Achakupa mvura yokumeresa mbeu yako, yauchadzvara muvhu; nezvokudya, zvinoberekwa nevhu, zvichava zvakakora zvizhinji. Nezuva iro mombe dzenyu dzichafura pamafuro makuru;
30:24b.ISA.030.024 nzombe navana vembongoro, zvinorima minda, zvichadya zvokudya zvakarungwa; zvakarudzwa nemitsvairo nemisero.
30:25b.ISA.030.025 Pamusoro pegomo rimwe nerimwe rakareba napachikomo chimwe nechimwe chakwirira, pachava nenzizi nehova dzemvura, nezuva rokuurawa kukuru kana shongwe dzichiwa.
30:26b.ISA.030.026 Uyezve, chiedza chomwedzi chichafanana nechiedza chezuva, chiedza chezuva chichawedzerwa kanomwe; sechiedza chamazuva manomwe, nezuva iro kana Jehovha achisunga pakakuvara pavanhu vake, nokuporesa vanga ravakarohwa. Jehovha achakunda vaAsiria
30:27b.ISA.030.027 Tarirai, zita raJehovha rinobva kure, richipisa nokutsamwa kwake, richibudisa utsi uzhinji; miromo yake izere nehasha, rurimi rwake rwakafanana nomoto unopedza zvose;
30:28b.ISA.030.028 mweya wake wakaita sorwizi runodira kunze, runosvikira pamutsipa, kuti asere marudzi avanhu nomusero wokuparadza; matomu anotsausa achava mumiromo yavanhu.
30:29b.ISA.030.029 Muchaimba rwiyo, sezvinoitwa usiku kana mutambo mutsvene uchitambwa; muchava nokufara kwomoyo, wakafanana nowomunhu anoenda achiridza nyere kugomo raJehovha, kudombo raIsiraeri.
30:30b.ISA.030.030 Jehovha achanzwisa inzwi rake roumambo, acharatidza kuburuka kworuoko rwake, nokutsamwa kwake kukuru, nomurazvo womoto unopedza zvose, nechamupupuri, nokunaya kukuru kwemvura, nechimvuramabwe.
30:31b.ISA.030.031 Nokuti muAsiria achakanganiswa nenzwi raJehovha; achamurova neshamhu.
30:32b.ISA.030.032 Kurova kwose kwetsvimbo yakatumwa, yaacharohwa nayo naJehovha, kuchaitwa nokurira kwengoma nembira; acharwa navo nokurwa kuchazunungusa.
30:33b.ISA.030.033 Nokuti Tofeti rakagara ragadzirwa, zvirokwazvo rakagadzirirwa mambo; wakaridzikisa nokurikurisa; dutu riripo moto nehuni zhinji; mweya waJehovha, wakafanana norwizi rwesariferi, uchazvipfutidza.
31
31:1b.ISA.031.001 Vane nhamo vanoburukira Ijipiti kundotsvaka kubatsirwa, vanotenda mabhiza, vanovimba nengoro dzokurwa nokuti izhinji, uye navatasvi vamabhiza nokuti vane simba kwazvo, asi havatariri kuno Mutsvene waIsiraeri, kana kutsvaka Jehovha.
31:2b.ISA.031.002 Kunyange zvakadaro naiye akachenjera, achauyisa nhamo, haangadzosi mashoko ake, asi achamukira imba yavanoita zvakaipa, navanobatsirana navanoita zvakaipa.
31:3b.ISA.031.003 Zvino vaIjipiti vanhu, havazi Mwari, namabhiza avo inyama, haazi mweya; zvino kana Jehovha achitambanudza ruoko rwake, anobatsira achagumburwa noanobatsirwa achawira pasi, vose vachapera pamwechete.
31:4b.ISA.031.004 Nokuti zvanzi naJehovha kwandiri, Zvakaita seshumba nomwana weshumba zvinoombera chayabata; kunyange vafudzi vazhinji vakakokerwa kuzorwa nayo, haingavhunduswi namanzwi avo. haingavi nehanya nokupopota kwavo; saizvozvo Jehovha wehondo achaburukira pamusoro pegomo reZiyoni napamusoro pechikomo charo kuzorwa navo.
31:5b.ISA.031.005 Seshiri dzinodzengerera, saizvozvo Jehovha achatavirira Jerusaremu; acharitavirira nokurirwira, acharidarika nokurisunungura.
31:6b.ISA.031.006 Dzokerai kuna iye wamakamukira zvikuru, imi vana vaIsiraeri.
31:7b.ISA.031.007 Nokuti nezuva iro mumwe nomumwe ucharasha zvifananidzo zvake zvesirivha nezvifananidzo zvake zvendarama, zvamakazviitira namaoko enyu, zvikava zvivi kwamuri.
31:8b.ISA.031.008 Ipapo muAsiria achawa nomunondo usati uri womunhu; munondo usati uri wavanhu uchamudya; achatiza pamberi pomunondo, namajaya ake achabatirwa chibharo.
31:9b.ISA.031.009 Dombo rake richatiza nokutya, machinda ake achavhunduswa nomureza, ndizvo zvinotaura Jehovha, anomoto wake paZiyoni, nechoto chake paJerusaremu.
32
32:1b.ISA.032.001 Tarirai, mambo achabata ushe nokururama, machinda achabata achiruramisira.
32:2b.ISA.032.002 Munhu mumwe nomumwe achava soutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura, senzizi dzemvura panzvimbo yakaoma, somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota.
32:3b.ISA.032.003 Meso avanoona haangatsinzini, nzeve dzavanonzwa dzichateerera.
32:4b.ISA.032.004 moyo yavanotaura vasingarangariri zvakanaka ichanzwisisa ruzivo, marimi avanokakamira achaziva kutaura zvakanaka.
32:5b.ISA.032.005 Benzi harichazonzi munhu akakudzwa, munyengeri haanganzi mukomboreri.
32:6b.ISA.032.006 Nokuti benzi rinotaura zvohupenzi, moyo waro unoita zvakaipa, zvaanoita zvinomhura Mwari, nokureva zvingarasha vanhu pamusoro paJehovha, zvaanorega kugutisa mweya wavane nzara, nokushaisa vane nyota chinonwiwa.
32:7b.ISA.032.007 Mitoo yomunyengeri yakaipa; anofunga mano akaipa, kuti aparadze vanyoro namashoko enhema, kunyange anoshaiwa achitaura zvakanaka.
32:8b.ISA.032.008 Asi akarurama anofunga zvinhu zvakarurama; anorambira panzira yezvakarurama. Vakadzi veJerusaremu vanonyeverwa
32:9b.ISA.032.009 Simukai, imi vakadzi vagere zvakanaka, munzwe inzwi rangu; imi vakunda vasine hanya, teererai kutaura kwangu.
32:10b.ISA.032.010 Nokuti kana kwapfuura gore namazuva, muchatambudzika, imi vasine hanya; nokuti kukohwiwa kwamazambiringa kuchakona, nguva yokuunganidza haingasviki.
32:11b.ISA.032.011 Dederai, imi vakadzi vagere zvakanaka; tambudzikai, imi vasine hanya; zvifukurei, mubvise nguvo dzenyu, muzvisunge zviuno namakudza.
32:12b.ISA.032.012 Vachazvirova zvipfuva nokuda kweminda yaifadza, nomuzambiringa waibereka zvakanaka.
32:13b.ISA.032.013 Panyika yavanhu vangu pachamera minzwa norukato; zvirokwazvo, pamusoro pedzimba dzose dzomufaro muguta romufaro.
32:14b.ISA.032.014 Nokuti imba yamambo ichasiyiwa, guta rina vanhu vazhinji richaita dongo; chikomo nenhare zvichashanduka mapako nokusingaperi, panofara mbizi, namafuro ezvipfuwo;
32:15b.ISA.032.015 kusvikira mweya uchidururwa pamusoro pedu uchibva kumusoro, renje rikaita munda unobereka zvakanaka, nomunda unobereka zvakanaka uchinzi idondo.
32:16b.ISA.032.016 Ipapo kururamisira kuchagara murenje, kururama kuchagara mumunda unobereka zvakanaka.
32:17b.ISA.032.017 Basa rokururama richava rugare, zvibereko zvokururama zvichava kunyarara nokutenda nokusingaperi.
32:18b.ISA.032.018 Vanhu vangu vachagara paugaro vane rugare, napadzimba dzakasimba, napanzvimbo dzokuzorora dzakadzikama.
32:19b.ISA.032.019 Asi chimvuramabwe chichavapo kana dondo richiwa, neguta richaparadzwa chose.
32:20b.ISA.032.020 Makaropafadzwa imi munokusha pose panemvura, munosundira makumbo enzombe neembongoro.
33
33:1b.ISA.033.001 Une nhamo, iwe unoparadza, usina kuparadzwa umene; iwe unoita nokunyengera, asi havana kukuitira nokunyengera, iwe! Kana wapedza kuparadza, newewo uchaparadzwa, kana wapedza kuita nokunyengera, vachakuitira nokunyengera newewo.
33:2b.ISA.033.002 Jehovha mutinzwire tsitsi, takakumirirai; ivai ruoko rwedu mangwanani ose, noruponeso rwedu panguva yokutambudzika.
33:3b.ISA.033.003 Marudzi avanhu akatiza achinzwa mubvumo, marudzi akaparadzirwa imi muchisimuka.
33:4b.ISA.033.004 Zvakapambwa zvenyu zvichaparadzwa, sezvinoparadza gwatakwata; somumhanyiro wemhashu, saizvozvo vanhu vachamhanyira kwazviri.
33:5b.ISA.033.005 Jehovha akakudzwa, nokuti anogara kumusoro; akazadza Ziyoni nokururamisira nokururama.
33:6b.ISA.033.006 Panguva dzako pachava nokugarika, nokuwanda kwokuponeswa, nouchenjeri nezivo; kutya Jehovha ndiyo fuma yake.
33:7b.ISA.033.007 Tarirai, mhare dzavo dzinodanidzira dziri kunze; nhume dzorugare dzinochema zvikuru.
33:8b.ISA.033.008 Migwagwa mikuru yaparadzwa, vafambi havachipo; aputsa sungano, azvidza maguta, haane hanya nomunhu.
33:9b.ISA.033.009 Nyika inochema, yaziya; Rebhanoni ranyadziswa, rooma; Sharoni rafanana nerenje; Bhashani neKarimeri azuka mashizha.
33:10b.ISA.033.010 Zvino ndichasimuka, ndizvo zvinotaura Jehovha; zvino ndichazvisimudza, zvino ndichakudzwa.
33:11b.ISA.033.011 Imi muchava napamuviri pehundi, muchabereka mashanga; mweya wenyu moto uchakupedzai.
33:12b.ISA.033.012 Marudzi avanhu achaita sokupiswa kwesuko, seminzwa yakatemwa, inopiswa nomoto.
33:13b.ISA.033.013 Inzwai, imi muri kure, zvandakaita, imi muri pedo, muzive simba rangu.
33:14b.ISA.033.014 Vatadzi vari paZiyoni vanotya, vasingadi Mwari, vabatwa nokudedera. Ndianiko pakati pedu angagara nomoto unoparadza? Ndiani pakati pedu angagara nokupisa kusingaperi?
33:15b.ISA.033.015 Ndiye anofamba nokururama, anotaura zvakarurama; iye anoshora fuma yakawanikwa nokunyengera, anozuza maoko ake achiramba fufuro, anodzivira nzeve dzake, kuti arege kunzwa mashoko eropa, anotsinzina meso ake kuti arege kutarira zvakaipa;
33:16b.ISA.033.016 iye achagara pakakwirira, nhare dzamatombo dzichava utiziro hwake; zvokudya zvake achazvipiwa, mvura yake haingapwi.
33:17b.ISA.033.017 Meso ako achaona mambo pakunaka kwake, achaona nyika yakakura kwazvo.
33:18b.ISA.033.018 moyo wako ucharangarira nguva yokutya, uchiti, Aripiko iye aiverenga, aripiko aiyera mutero? Aripiko aiverenga shongwe?
33:19b.ISA.033.019 Haungazooni vanhu vane hasha, vanhu vanorurimi runoshamisa, rwausingagoni kunzwa, rurimi rwokumwe rwausingagoni kunzwisisa.
33:20b.ISA.033.020 Tarirai Ziyoni, iro guta remitambo yedu; meso ako achaona Jerusaremu hwava ugaro hwakadzikama, tende risingazovhomorwi, nebote raro rimwe risingazodamburwi.
33:21b.ISA.033.021 Asi Jehovha achavapo nesu noumambo hwake, ichava nzvimbo ine nzizi nehova dzakafara, magwa anokwasviwa haangasvikipo, nezvikepe zvikuru hazvingapfuuripo.
33:22b.ISA.033.022 Nokuti Jehovha ndiye mutongi wedu, Jehovha ndiye mutemi wemirayiro yedu, Jehovha ndiye mambo wedu; iye achatiponesa.
33:23b.ISA.033.023 Mabote ako akati dembu-tembu; haagoni kusimbisa muromo wapasi wedanda rechikepe chavo, haagoni kutasanura seiri; ipapo zvakatapwa nezvakapambwa zvizhinji zvinogoverwa; zvirema zvinotora zvakatapwa.
33:24b.ISA.033.024 Hakuna ageremo, achati, Ndinorwara; vanhu vageremo vachakanganwirwa zvakaipa zvavo.
34
34:1b.ISA.034.001 Swederai, imi marudzi avanhu, munzwe, teererai imi vanhu, nyika ngainzwe, nezvose zvayo, pasi pose, nezvose zvinobudamo.
34:2b.ISA.034.002 Nokuti Jehovha akatsamwira marudzi ose, ane hasha nehondo dzawo dzose; akavaparadza chose, akavaisa pakuurawa.
34:3b.ISA.034.003 Vakaurawa vavo vacharaswa kunze, kunhuwa kwezvitunha zvavo kuchakwira, makomo achanyauswa neropa ravo.
34:4b.ISA.034.004 Hondo dzose dzokudenga dzichanyakatika, denga rose richapetwa sorugwaro rwakapetwa; hondo dzaro dzose dzichaoma, sokuoma kwamashizha pamuzambiringa, uye seshizha rinooma pamuonde.
34:5b.ISA.034.005 Nokuti munondo wangu wanwa ukaguta kudenga; tarirai uchaburukira pamusoro paEdhomu, napamusoro pavanhu vakatukwa neni, kuti vatongwe.
34:6b.ISA.034.006 Munondo waJehovha uzere neropa, unobwinya namafuta, neropa ramakwayana nerembudzana, namafuta etsvo dzamakondobwe; nokuti Jehovha ane chibayiro chake paBhozira, nokubaya kukuru panyika yaEdhomu.
34:7b.ISA.034.007 Nyati dzichawa pamwechete navo, nenzombe pamwechete nehandira; nyika yavo ichabatwa neropa, guruva ravo richazara namafuta.
34:8b.ISA.034.008 Nokuti Jehovha ane zuva rokutsiva, negore rokutsiva zvakaitirwa Ziyoni.
34:9b.ISA.034.009 Hova dzayo dzichashanduka namo, ,huruva rayo sariferi, nyika yavo ichaitwa namo inopfuta.
34:10b.ISA.034.010 Haingadzimwi usiku namasikati; utsi hwayo huchakwira nokusingaperi; richava dongo kusvikira kumarudzi namarudzi; hakuna munhu angapfuura noko nokusingaperi.
34:11b.ISA.034.011 Asi zvichava zvehukurwizi nenungu; zizi negunguvo zvichagaramo; achatambanudzirapo rwonzi rwokuparadza nechokururamisa chezvisina chinhu.
34:12b.ISA.034.012 Vakuru vayo vachadanirwa kuushe, asi havangavipo; machinda ayo ose achava pasina.
34:13b.ISA.034.013 Minzwa ichamera mudzimba dzamadzimambo ayo, hutumbambeva norukato munhare dzayo; huchava hugaro hwamakava, nenzvimbo yemhou.
34:14b.ISA.034.014 Zvikara zvomusango zvichasangana namapere, mweya wakaipa uchadana shamwari yawo; zvirokwazvo, chikara chousiku chichagarapo norugare, chichiwanapo nzvimbo yokuzorora.
34:15b.ISA.034.015 Rovambira richaita dendere raropo, nokukandira, nokuchechenya mazai aro, nokuunganidza vana varo mumumvuri waro; zvirokwazvo, ndipo pachaunganira ruvangu, rumwe norumwe neshamwari yarwo.
34:16b.ISA.034.016 Tsvakai pabhuku yaJehovha, murave; hapana chimwe chezvinhu izvi chichashaikwa, chichashaiwa shamwari yacho; nokuti muromo wangu wakarayira izvozvo, nomweya wake wakazviunganidza.
34:17b.ISA.034.017 Iye wakazvikandira mijenya, ruoko rwake rwakazviganhurira nyika norwonzi; ichava yazvo nokusingaperi, vachagaramo kusvikira kumarudzi namarudzi.
35
35:1b.ISA.035.001 Renje nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo, richatumbuka seruva.
35:2b.ISA.035.002 Richatumbuka zvizhinji, nokufara kwazvo nomufaro nokuimba; richapiwa kunaka kukuru kweRebhanoni, noukomba hweKarimeri neSharoni; vachaona kunaka kukuru kwaJehovha, ihwo ukomba hwaMwari wedu.
35:3b.ISA.035.003 Simbisai maoko asine simba, mutsigire mabvi anodedera.
35:4b.ISA.035.004 Iti kuna vane moyo inotya, Simbai, musatya! Tarirai, Mwari wenyu achauya nokutsiva, nokuripira kwaMwari; achauya achikuponesai.
35:5b.ISA.035.005 Ipapo meso amapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa.
35:6b.ISA.035.006 Ipapo anokamhina achakwakuka senondo, rurimi rwembeveve rwuchaimba nokuti mvura zhinji ichadzutuka murenje, nehova dzemvura musango.
35:7b.ISA.035.007 Jecha, rinopisa, richashanduka dziva, nevhu, rine nyota, zvitubu zvemvura; paugaro hwamakava, paaivata, pachava nouswa, netsanga nenhokwe.
35:8b.ISA.035.008 Ipapo pachava nomugwagwa, nenzira, ichanzi, Nzira youtsvene; ine tsvina haangafambi nayo, asi ichava yavo; vanofamba nayo, kunyange ari mapenzi, havangarashiki.
35:9b.ISA.035.009 Hapangavi neshumba, kunyange nechikara hachingafambipo; hazvingawanikwipo, asi vakadzikunurwa ndivo vachafambapo;
35:10b.ISA.035.010 vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka, vachasvika Ziyoni vachiimba, mufaro usingaperi uchava pamisoro yavo; vachawana mufaro nomoyo muchena, kuchema nokusuwa kuchatiza.
36
36:1b.ISA.036.001 Zvino negore regumi namana ramambo Hezekia, Sanheribhi mambo weAsiria, akandorwa namaguta ose aJudha akakombwa namasvingo, akaakunda.
36:2b.ISA.036.002 Zvino mambo weAsiria akatuma mukuru wavatariri abve Rakishi aende Jerusaremu kuna mambo Hezekia nehondo huru. Akamira pamugero wedziva rokumusoro pamugwagwa unoenda kumunda womusuki.
36:3b.ISA.036.003 Ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia, waichengeta imba yamambo, naShebhina munyori naJoa mwanakomana waAsafi, gurukota guru, vakabudira kwaari.
36:4b.ISA.036.004 Mukuru wavatariri akati kwavari, Zvino imi muti kuna Hezekia, Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria, kuvimba uku kwaunovimba nako ndokwei?
36:5b.ISA.036.005 Ini ndinoti, mano ako nesimba rokurwa naro mashoko zvawo asina maturo; zvino unovimba naniko, zvawandimukira ini?
36:6b.ISA.036.006 Tarira, unovimba nomudonzvo worutsanga urwu rwakavhunika, Ijipiti, runoti kana munhu akasendama kwamuri, ruchapinda muruoko rwake, rukamubaya; ndizvo zvakaita Farao mambo weIjipiti kuna vose vanovimba naye.
36:7b.ISA.036.007 Asi kana ukati kwandiri, Tinovimba naJehovha Mwari wedu, ko haazi iye akabvisirwa matunhu akakwirira namaaritari ake naHezekia, akati kuna Judha neJerusaremu, Munofanira kunamata pamberi pearitari iri here?
36:8b.ISA.036.008 Naizvozvo zvino chipikiranai henyu natenzi wangu, mambo weAsiria, ndikupe mabhiza ane zviuru zviviri, kana iwe ukagona kuisa vatasvi pamusoro pawo.
36:9b.ISA.036.009 Ungagona seiko kukunda mukuru mumwe kuvaduku vavaranda vatenzi wangu? Zvino wovimba neIjipiti kuti upiwe ngoro namabhiza navo?
36:10b.ISA.036.010 Ini ndauya kuzorwa nenyika ino kuti ndiiparadze ndisina Jehovha kanhi? Ndiye Jehovha akati kwandiri, Enda undorwa nenyika iyo, uiparadze.
36:11b.ISA.036.011 Ipapo Eriakimu, mwanakomana waHirikia, naShebhina, naJoa vakati kumukuru wavatariri, Tinokumbira kuti mutaure henyu navaranda venyu norurimi rwechiAramia, nokuti tinochinzwisisa; murege henyu kutaura nesu norurimi rwavaJudha, vanhu vose vari parusvingo vazvinzwe.
36:12b.ISA.036.012 Asi mukuru wavatariri akati kwaari, Tenzi wangu akandituma kuna tenzi wako nokwauri here, kuti nditaure mashoko awa? Haana kundituma here kuvanhu vagere pamusoro porusvingo, kuti vadye tsvina yavo nemvura yavo pamwechete nemi?
36:13b.ISA.036.013 Ipapo mukuru wavatariri akamira, akadanidzira nenzwi guru norurimi rwavaJudha, akataura akati, Inzwai mashoko amambo mukuru, iye mambo weAsiria.
36:14b.ISA.036.014 Zvanzi namambo Hezekia, Ngaarege kukunyengerai; nokuti haangagoni kukurwirai;
36:15b.ISA.036.015 Hezekia ngaarege kukuvimbisai naJehovha, achiti, Jehovha achatirwira zvirokwazvo; guta iri haringapiwi mumaoko amambo weAsiria.
36:16b.ISA.036.016 Musateerera Hezekia, nokuti zvanzi namambo weAsiria, Yananai neni, mubudire kwandiri; mudye mumwe nomumwe muwonde wake, mumwe nomumwe mvura yetsime rake;
36:17b.ISA.036.017 kusvikira ini ndauya ndikutorei, ndikuisei kunyika yakafanana neyenyu, nyika ine zviyo newaini, nyika ine chingwa neminda yemizambiringa.
36:18b.ISA.036.018 Chenjerai kuti Hezekia arege kukugombedzerai, achiti, Jehovha achatirwira. Ko mumwe wavamwari vamarudzi akagona kurwira nyika yake paruoko rwamambo weAsiria here?
36:19b.ISA.036.019 Vamwari veHamati neAripadhi varipi? Vamwari veSefarivhaimi varipi? Vakarwira Samaria paruoko rwangu here?
36:20b.ISA.036.020 Ndavapi pakati pavamwari vose venyika idzi vakarwira nyika yavo paruoko rwangu, zvamunoti Jehovha acharwira Jerusaremu paruoko rwangu?
36:21b.ISA.036.021 Asi vakaramba vanyerere, havana kumupindura shoko rimwe, nokuti murayiro wamambo wakanga uchiti, Regai kumupindura.
36:22b.ISA.036.022 Zvino Eriakimu mwanakomana waHirikia, aichengeta imba, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi, gurukota guru, vakaenda kuna Hezekia, vakabvarura nguvo dzavo, vakamuudza mashoko omukuru wavatariri.
37
37:1b.ISA.037.001 Zvino mambo Hezekia akati achizvinzwa, akabvarura nguvo dzake, akafuka makudza, akapinda mumba maJehovha.
37:2b.ISA.037.002 Akatuma Eriakimu aichengeta imba, naShebhina munyori, navakuru vavapirisiti, vakafuka makudza, kumuporofita Isaya mwanakomana waAmozi.
37:3b.ISA.037.003 Vakati kwaari, Zvanzi naHezekia, Nhasi izuva rokutambudzika, nerokutukwa, nerokuzvidzwa; nokuti vana vakasvika pakuzvarwa, asi hakuna simba rokuzvara naro.
37:4b.ISA.037.004 Zvimwe Mwari wenyu achanzwa mashoko ose omukuru wavatariri, akatumwa namambo weAsiria tenzi wake, kuzvidza Mwari mupenyu, agovatuka pamusoro pamashoko aakanzwa iye Jehovha Mwari wenyu; naizvozvo nyengetererai vakasara.
37:5b.ISA.037.005 Naizvozvo varanda vamambo Hezekia vakasvika kuna Isaya.
37:6b.ISA.037.006 Isaya akati kwavari, Udzai tenzi wenyu, muti, zvanzi naJehovha, Usatya hako mashoko awanzwa, andakamhurwa nawo navaranda vamambo weAsiria.
37:7b.ISA.037.007 Tarira, ndichaisa mweya wokutya mukati make, achanzwa guhu, ndokudzokera kunyika yake; ndichamuurayisa nomunondo munyika yake.
37:8b.ISA.037.008 Naizvozvo mukuru wavatariri akadzoka, akawana mambo weAsiria achirwa neRibhina, nokuti akanga anzwa kuti wabva Rakishi.
37:9b.ISA.037.009 Zvino akanzwa pamusoro paTirihaka mambo weltiopia, zvichinzi, Auya kuzorwa newe. Zvino akati azvinzwa, akatuma nhume kuna Hezekia, achiti,
37:10b.ISA.037.010 Endai mundoudza Hezekia mambo waJudha, muti, Mwari wako, waunovimba naye, ngaarege kukunyengera, achiti, Jerusaremu haringapiwi muruoko rwamambo weAsiria.
37:11b.ISA.037.011 Tarira, wakanzwa zvakaitirwa nyika dzose namadzimambo eAsiria, kuti vakadziparadza chose; zvino iwe ucharwirwa here?
37:12b.ISA.037.012 Ko vamwari vamamwe marudzi vakavarwira here, iwo akaparadzwa namadzibaba angu, vanoti, Gozani, naHarani, naRezefi, navana vaEdheni, vaiva paTerasari?
37:13b.ISA.037.013 Mambo weHamati ariko, namambo weAripadhi, namambo weguta reSafarivhaimi, neHena, neIvha?
37:14b.ISA.037.014 Hezekia akagamuchira tsamba pamaoko enhume, akairava; Hezekia akakwira kumba kwaJehovha, akaipetenura pamberi paJehovha.
37:15b.ISA.037.015 Ipapo Hezekia akanyengetera kuna Jehovha, achiti,
37:16b.ISA.037.016 Haiwa Jehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, iye ugere pamusoro pamakerubhimi! Ndimi Mwari, imi moga, woushe hwose hwenyika, ndimi makaita kudenga napasi.
37:17b.ISA.037.017 Rerekerai nzeve yenyu, Jehovha, munzwe; svinudzai meso enyu, Jehovha, muone; inzwai mashoko ose aShanheribhi, akatuma nhume kuzozvidza Mwari mupenyu.
37:18b.ISA.037.018 Zvirokwazvo, Jehovha, madzimambo eAsiria akaparadza marudzi ose nenyika dzawo,
37:19b.ISA.037.019 akakandira vamwari vavo mumoto; nokuti vakanga vasi vamwari, asi rakanga riri basa ramaoko avanhu, ari matanda namabwe; naizvozvo akavaparadza.
37:20b.ISA.037.020 Naizvozvo zvino, Jehovha, Mwari wedu, tiponesei paruoko rwake, kuti ushe hwose hwenyika huzive kuti ndimi Jehovha, iyemi moga.
37:21b.ISA.037.021 Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi, akatuma shoko kuna Hezekia, akati, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, Zvawanyengetera kwandiri pamusoro paShanheribhi mambo weAsiria,
37:22b.ISA.037.022 heri shoko rakataurwa naJehovha, pamusoro pake, Mhandara, mukunda weZiyoni, wakakushora nokukuseka; mukunda weJerusaremu wakakudzungudzira musoro wake.
37:23b.ISA.037.023 Ndianiko wawakatuka nokuzvidza? Wakazvikudza kuna aniko nenzwi rako, meso ako akatarira aniko kudenga? NdiMutsvene waIsiraeri!
37:24b.ISA.037.024 Watuka Jehovha navaranda vako, ukati, Ndakwira kumakomo marefu nengoro dzangu zhinji, kunzvimbo dzomukati dzeRebhanoni; ndichatema misidhari mirefu iripo, nemisiperesi yakatsaurwa iripo, ndichipa kusvikira kumusoro-soro kwaro, kudondo raro rinobereka zvakanaka;
37:25b.ISA.037.025 ndakachera ndikanwa mvura, ndichapwisa nzizi dzose dzeIjipiti nokutsika netsoka dzangu.
37:26b.ISA.037.026 Hauna kunzwa here kuti ndakazviita kare, kuti ndakazvirayira nenguva dzokutanga-tanga? Zvino ndakarayira zviitike, kuti iwe uve muparadzi wamaguta akakombwa namasvingo, ave matongo.
37:27b.ISA.037.027 Naizvizvo vakanga vageremo vakanga vane simba duku, vakavhundutswa nokunyadziswa; vakafanana nouswa hwebundo, nomuriwo mutema, nouswa huri pamusoro peimba, nomunda wezviyo zvigere kukura.
37:28b.ISA.037.028 Asi ndinoziva kugara kwako pasi, nokubuda kwako, nokupinda kwako, uye hasha dzako kwandiri.
37:29b.ISA.037.029 Nokuda kwehasha dzako kwandiri, uye nokuti ndakanzwa, kuzvikudza kwako, ndichaisa rwauro rwangu mumhino dzako, netomu rangu mumiromo yako, ndikudzosere nenzira yawakauya nayo.
37:30b.ISA.037.030 Ichi ndicho chichava chiratidzo kwauri: nhaka muchadya zvinongomera zvoga, negore rechipiri muchadya zvinomerazve kwazviri; asi negore rechitatu munofanira kudzvara, nokucheka, nokusima minda yemizambiringa, mudye michero yayo.
37:31b.ISA.037.031 Zvino vakasara vakapukunyuka veimba yaJudha, vachaitazve midzi pasi, nokubereka michero kumusoro.
37:32b.ISA.037.032 Nokuti vakasara vachabuda Jerusaremu, navakapukunyuka pagomo reZiyoni; kushingaira kwaJehovha kuchazviita.
37:33b.ISA.037.033 Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiria, Haangapindi muguta rino, kana kuposhera museve imomo, kana kusvika pamberi paro nenhovo, kana kututira gomo revhu kwariri.
37:34b.ISA.037.034 Zvanzi naJehovha, Nenzira yaakauya nayo, achadzokerazve nayo; haangapindi muguta rino.
37:35b.ISA.037.035 Nokuti ndichadzivirira guta rino, ndiriponese nokuda kwangu ini, uye nokuda kwomuranda wangu Dhavhidhi.
37:36b.ISA.037.036 Zvino mutumwa waJehovha akabuda, akauraya vanhu vane zviuru zvine zana namakumi masere nezvishanu pamisasa yavaAsiria; zvino vanhu vakati vachimuka mangwanani, vakawana zvava zvitunha zvose.
37:37b.ISA.037.037 Naizvozvo Shanheribhi mambo weAsiria akabva, akaenda, akadzokera kwakare, akandogara Ninivhe.
37:38b.ISA.037.038 Zvino akati achinamata mumba maNisiroki, mwari wake, Adhiramereki naSharezeri vanakomana vake, vakamuuraya nomunondo, ivo vakatizira kunyika yeArarati. Esarihadhoni akamutevera paushe.
38
38:1b.ISA.038.001 Zvino namazuva iwayo Hezekia akarwara, akasvikira pakufa. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akasvika kwaari, akati kwaari, Zvanzi naJehovha, Chirayira nhaka yako, nokuti uchafa, haungararami.
38:2b.ISA.038.002 Ipapo Hezekia akatendeukira kumadziro, akanyengetera kuna Jehovha,
38:3b.ISA.038.003 akati, Dorangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba pamberi penyu nechokwadi nomoyo wose, ndikaita zvakanaka pamberi penyu. Hezekia akachema kwazvo.
38:4b.ISA.038.004 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Isaya, richiti,
38:5b.ISA.038.005 Enda undoti kuna Hezekia, zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi, Ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; tarira, ndichawedzera pamazuva ako makore ane gumi namashanu.
38:6b.ISA.038.006 Ndichakurwira iwe neguta rino paruoko rwamambo weAsiria; uye ndichadzivirira guta rino.
38:7b.ISA.038.007 Hechi chiratidzo chaJehovha kwauri, kuti Jehovha achaita chinhu ichi chaakataura.
38:8b.ISA.038.008 Tarira, ndichadzosa mumvuri pamitaro, yakanga yakadzira nezuva pachikati chaAhazi, udzoke mitaro ine gumi. Naizvozvo zuva rakadzoka mitaro ine gumi pachikati chaAhazi, pawakanga wadzikira. Rwiyo rwokuvonga rwaHezekia
38:9b.ISA.038.009 Horwu runyoro rwaHezekia mambo waJudha, panguva yaakanga arwara, akaporazve pakurwara kwake.
38:10b.ISA.038.010 Ndakati, ndichapinda pamasuo eSheori achiri masikati pamazuva angu; Ndatorerwa makore angu akanga asara.
38:11b.ISA.038.011 Ndakati, handichazooni Jehovha, iye Jehovha, panyika yavapenyu; Handichazooni vanhu pamwechete navagere panyika.
38:12b.ISA.038.012 Ugaro hwangu hwaputswa, hwabviswa kwandiri setende romufudzi; Ndapeta upenyu hwangu, somuruki, uchandigura pachirukiso; Muchandigumisa kubvira mangwanani kusvikira madekwana.
38:13b.ISA.038.013 Ndakachema kusvikira kwaedza; unovhuna mapfupa angu ose seshumba; Muchandigumisa kubvira mangwanani kusvikira madekwana.
38:14b.ISA.038.014 Ndakarira senyenganyenga kana kondo; Ndakachema senjiva; meso angu akapera nokutarira kumusoro; Haiwa Jehovha, ndakamanikidzwa, ivai mumiririri wangu imi.
38:15b.ISA.038.015 Ndingatiiko? Ndiye akataura neni, ndiye akazviita; Ndichanyasa kufamba makore angu ose, nokuda kwokurwadziwa kwomoyo wangu.
38:16b.ISA.038.016 Ishe, vanhu vanorarama nezvinhu izvozvi; Upenyu hwose hwomweya wangu huri mazviri; Naizvozvo ndiporesei, mundiraramise.
38:17b.ISA.038.017 Tarirai, kutambudzika kwangu kukuru kwakazondivigira rugare; Asi makarwira mweya wangu norudo pagomba rokuparadzwa; Nokuti makarasira zvivi zvangu zvose shure kwenyu.
38:18b.ISA.038.018 Nokuti Sheori harigoni kukuvongai, rufu harugoni kukurumbidzai; Vanoburukira kugomba havangagoni kutarira zvokwadi yenyu.
38:19b.ISA.038.019 Mupenyu, mupenyu, ndiye uchakuwongai, sezvandinoita nhasi; baba vachazivisa vana vavo zvokwadi yenyu.
38:20b.ISA.038.020 Jehovha akazvigadzirira kundiponesa; Naizvozvo tichaimba nziyo dzangu nemitengeranwa Mazuva ose oupenyu hwedu mumba maJehovha.
38:21b.ISA.038.021 Zvino Isaya akanga ati, Ngavatore bundu, ramawonde varinamire pamota, ipapo achapora.
38:22b.ISA.038.022 Hezekiawo akanga ati, Chiratidzo ndechipi kuti ndichakwira kuimba yaJehovha?
39
39:1b.ISA.039.001 Zvino nenguva iyo Merodhaki bharadhani mwanakomana wa Bharadhani, mambo weBhabhironi, akatuma tsamba nechipo kuna Hezekia; nokuti akanga anzwa kuti airwara akaporazve.
39:2b.ISA.039.002 Hezekia akafara pamusoro pavo, akavaratidza imba yakanga ine zvinokosha zvake, sirivha, nendarama, nezvinonhuwira, namafuta anokosha, neimba yaiva nenhumbi dzake dzose dzokurwa nadzo, nezvose zvakanga zviri pafuma yake; kwakanga kusisina chinhu mumba make, kana muushe hwake hwose, chavasina kuratidzwa naHezekia.
39:3b.ISA.039.003 Zvino muporofita Isaya akasvika kuna mambo Hezekia, akati kwaari, Varume ava vakati kudiniko? Vakasvika kwauri vachibvepi? Hezekia akati, Vakanga vabva kunyika iri kure, Bhabhironi vachiuya kwandiri.
39:4b.ISA.039.004 Ipapo akati, Vakaonei mumba mako? Hezekia akapindura, akati, Vakaona zvose zviri mumba mangu; hakune chinhu pakati pefuma yangu chandisina kuvaratidza.
39:5b.ISA.039.005 Ipapo Isaya akati kuna Hezekia, Inzwa shoko raJehovha wehondo,
39:6b.ISA.039.006 Tarira, mazuva achasvika, nenguva iyo zvose zviri mumba mako, nezvose zvakaunganidzwa namadzibaba ako kusvikira zuva ranhasi, zvichaiswa Bhabhironi, hakuna chinhu chichasiyiwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
39:7b.ISA.039.007 Vamwe vanakomana vako, vachabva kwauri, vauchabereka, vachatapwa; vachava varanda mumba mamambo weBhabhironi.
39:8b.ISA.039.008 Ipapo Hezekia akati kuna Isaya, Shoko raJehovha ramataura rakanaka haro. Akatiwo, Nokuti rugare nezvokwadi zvichavapo pamazuva angu.
40
40:1b.ISA.040.001 Nyaradzai, nyaradzai vanhu vangu, ndizvo zvinoreva Mwari wenyu.
40:2b.ISA.040.002 Taurirai zvingavaraidza Jerusaremu, danidzirai kwavari kuti kurwa kwavo kwapera, kuti zvakaipa zvavo zvakanganwirwa, kuti vapiwa noruoko rwaJehovha kurohwa kwakaringana pamusoro pezvivi zvavo.
40:3b.ISA.040.003 Inzwi rounodanidzira, achiti, Gadzirai murenje nzira yaJehovha, ruramisirai Mwari wedu mugwagwa musango.
40:4b.ISA.040.004 Mipata yose ichazadzwa, makomo ose nezvikomo zvose zvichaderedzwa; pana makoronga pachaenzaniswa; Pasakaenzana pachaitwa bani;
40:5b.ISA.040.005 kubwinya kwaJehovha kucharatidzwa, vanhu vose vachazviona pamwechete nokuti muromo waJehovha wakataura izvozvo.
40:6b.ISA.040.006 Inzwi roanoti, Danidzirai! Mumwe akati, Ndichadanidzireiko? Vanhu vose uswa, kunaka kwazvo kwose kwakaita seruva rokusango.
40:7b.ISA.040.007 Uswa hunowoma, ruva rinosvava, nokuti mweya waJehovha unofuridza pamusoro pazvo; zvirokwazvo vanhu uswa.
40:8b.ISA.040.008 Huswa hunooma, ruva rinosvava; asi shoko raMwari wedu richagara nokusingaperi.
40:9b.ISA.040.009 Nhai, iwe, unoparidzira Ziyoni mashoko akanaka, kwira pagomo refu; nhai, iwe, unoparidzira Jerusaremu mashoko akanaka, danidzira nesimba, danidzira, usatya; uti kumaguta aJudha, Tarirai, Mwari wenyu!
40:10b.ISA.040.010 Tarirai, Ishe Jehovha achauya somunhu ane simba, ruoko rwake ruchamubatira ushe; tarirai, mubayiro wake anawo, zvaanoripirwa zviri pamberi pake.
40:11b.ISA.040.011 Achafudza boka rake somufudzi, achaunganidza makwayana ake mumaoko ake, nokuatakura pachipfuva chake, achanyatso kutungamirira nhunzvi dzinomwisa. Hukuru hwaJehovha
40:12b.ISA.040.012 Ndianiko akayera mvura zhinji muchanza choruoko rwake, nokuyera denga napanosvika minwe, nokuenzanisa guruva rapasi nechiyero, nokuyera kurema kwamakomo nechiedzo, nezvikomo nechiyero?
40:13b.ISA.040.013 Ndianiko wakayera Mweya waJehovha, kana akamudzidzisa achimurayira namano?
40:14b.ISA.040.014 Akarangana nani, ndiyani akamurayira nokumudzidzisa nzira yokururamisira, nokumudzidzisa zivo, nokumuratidza nzira yenjere here?
40:15b.ISA.040.015 Tarirai, marudzi avanhu akaita sedonwe remvura muchirongo, anenge guruva shomanene pachiyero; tarirai, anosimudza zvivi sechinhu chiduku-duku.
40:16b.ISA.040.016 Rebhanoni harine huni dzingaringana kuvesera, kunyange mhuka dzaro hadziringani kuitwa zvipiriso zvingapiswa.
40:17b.ISA.040.017 Marudzi ose akaita pamberi pake sapasine chinhu; pakufunga kwake akaita saasipo, chinhu chisina maturo.
40:18b.ISA.040.018 Zvino mungafananidza Mwari naniko? Kana mungamuenzanisa nomufananidzo upiko?
40:19b.ISA.040.019 Kana uri mufananidzo, muumbi wakaumba, mupfuri wendarama anounamira nendarama, ndokuupfurira ngetani dzesirivha.
40:20b.ISA.040.020 Murombo anoshaiwa chipo chakadaro, anosanangura muti asingawori; anozvitsvakira mhizha yakachenjera ingamuvezera mufananidzo usingazununguki.
40:21b.ISA.040.021 Hamuna kuziva here? Hamuna kunzwa here? Hamuna kuzviudzwa kubva pakutanga here? Hamuna kunzwisisa kubva pakuteyiwa kwenyika here?
40:22b.ISA.040.022 Ndiye agere kumusoro kwenyika yakaurungana, vanhu vagerepo vakaita semhashu; ndiye anotatamura denga somucheka, nokuriwaridza setende kuti agaremo;
40:23b.ISA.040.023 ndiye anoderedza machinda kusvikira oita saasipo, vatongi venyika anovaita sechinhu chisina maturo.
40:24b.ISA.040.024 Zvirokwazvo, havana kusimwa, zvirokwazvo, havana kudyarwa, zvirokwazvo, hunde yavo haina kubata pasi; zvino wofuridza pamusoro pavo, vooma, nechamupupuri chinovabvisa sehundi.
40:25b.ISA.040.025 Ko zvino mungandifananidza nani, kuti ndienzane naye? Ndizvo zvinotaura Mutsvene.
40:26b.ISA.040.026 Tarirai kumusoro nameso enyu, muone kuti ndiani akasika izvozvi, anobudisa hondo yazvo yakawanda; iye anozvidana zvose namazita azvo; nokuda kwoukuru hwesimba rake, uye zvaari mukuru pakusimba kwake, hakune chimwe chinoshaikwa.
40:27b.ISA.040.027 Unorevereiko, iwe Jakobho, unotaurireiko iwe Isiraeri, uchiti, Nzira yangu haizikanwi naJehovha, Mwari wangu anondidarika asingandiruramisiri?
40:28b.ISA.040.028 Hauna kuziva here? Hauna kunzwa here? Mwari asingaperi, Jehovha, Musiki wamativi ose enyika, haaziyi, haaneti; njere dzake hadzingazikanwi.
40:29b.ISA.040.029 Vanoziya anovapa simba; anoshaiwa simba anomuwedzera simba rake.
40:30b.ISA.040.030 Kunyange navakomana vachaziya nokuneta, namajaya achawira pasi chose;
40:31b.ISA.040.031 asi vanomirira Jehovha vachawana simba idzva; vachabhururuka namapapiro samakondo, vachamhanya vasinganeti, vachafamba vasingaziyi.
41
41:1b.ISA.041.001 Nyararai pamberi pangu, imi zviwi; vanhu ngavawane simba idzva, ngavaswedere, ipapo ngavataure; ngatiswedere pamwechete kutongerwa mhaka.
41:2b.ISA.041.002 Ndianiko wakamutsa mumwe kumabvazuva, anokunda pose-pose paa notsika? Ndianiko anomupa marudzi avanhu, achimubatisa madzimambo paushe hwake? Anovaisa pamunondo wake seguruva, napauta hwake sehundi inodzingwa nemhepo.
41:3b.ISA.041.003 Anodzingana navo, ndokupfuura hake zvakanaka nenzira yaasina kumbotsika netsoka dzake.
41:4b.ISA.041.004 Ndianiko akabata basa iro nokuzviita? Ndiye anodana marudzi kubvira pakutanga; ini Jehovha, wokutanga, nowokupedzisira.
41:5b.ISA.041.005 Zviwi zvakaona, zvikatya; migumo yenyika inodedera, inoswedera, youya.
41:6b.ISA.041.006 Mumwe nomumwe anobatsira wokwake; anoti kuhama yake, Tsunga hako moyo.
41:7b.ISA.041.007 Saizvozvo muvezi anosimbisa mupfuri wendarama, noanopfura nenyundo anosimbisa anorova panhera, achiti, Pamusoro pokunamatidza. Zvakanaka; ndokuzvirovera nembambo kuti zvirege kuzununguka.
41:8b.ISA.041.008 Asi iwe Isiraeri, muranda wangu, Jakobho, wandakasanangura, vana vaAbhurahamu shamwari yangu,
41:9b.ISA.041.009 iwe wandakatora kumigomo yenyika, ndikakudana kumakona ayo, ndikati kwauri, Uri muranda wangu, ndakakusanangura, handina kukurasha.
41:10b.ISA.041.010 Usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndiri Mwari wako; ndichakusimbisa, zvirokwazvo, ndichakubatsira; zvirokwazvo, ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rune simba.
41:11b.ISA.041.011 Tarira, vose vanokutsamwira, vachanyadziswa vave nenyadzi; vanokakavara newe vachava sechinhu chisipo, vachaparara.
41:12b.ISA.041.012 Uchavatsvaka, asi haungavawani, ivo vanokakavara newe; vanorwa newe vachava sechinhu chisipo, sechinhu chisina maturo.
41:13b.ISA.041.013 Nokuti ini Jehovha, Mwari wako, ndichabata ruoko rwako rworudyi, ndichiti kwauri, Usatya, ini ndichakubatsira.
41:14b.ISA.041.014 Usatya, Jakobho iwe honye, nemi varume vaIsiraeri; ini ndichakubatsira, ndizvo zvinotaura Jehovha, mudzikunuri wako ndiye Mutsvene waIsiraeri.
41:15b.ISA.041.015 Tarira, ndakakuita mupuro mutsva, unopinza, unameno; uchapura makomo, nokuaputsa-putsa, uchaita zvikomo zvive sehundi.
41:16b.ISA.041.016 Uchaaurutsa, achatorwa nemhepo, chamupupuri chichaaparadzira kwose; iwe uchafarira Jehovha, nokuzvirumbidza noMutsvene waIsiraeri.
41:17b.ISA.041.017 Varombo navanoshayiwa vanotsvaka mvura, asi haipo, marimi avo anooma nenyota; ini, Jehovha ndichavapindura, ini Mwari walsiraeri, handingavarasi.
41:18b.ISA.041.018 Ndichazarura nzizi pamakomo asine miti, namatsime pakati pemipata; renje ndichariita dziva remvura, nenyika yakaoma zvitubu zvemvura.
41:19b.ISA.041.019 Ndichasima parenje miti yemisidhari, nemiakasia, nemimirite, nemiorivhi; ndichaisa musango misiperesi, nemipani,nemifiri iyo yose;
41:20b.ISA.041.020 kuti vanhu vaone, nokuziva, nokurangarira, nokunzwisisa, kuti ruoko rwaJehovha ndirwo rwakaita izvozvo, uye kuti Mutsvene waIsiraeri ndiye wakazvisika.
41:21b.ISA.041.021 Zvanzi naJehovha, Revai mhaka yenyu; zvanzi namambo waJakobho, Uyai namashoko enyu akasimba.
41:22b.ISA.041.022 Ngavauye nawo, vatiudze zvichaitwa, tiudzei zvinhu zvakare, kuti ndezvei, kuti tizvirangarire, tizive kuguma kwazvo; kana mutizivise zvichazovapo.
41:23b.ISA.041.023 Tiudzei zvinhu zvichazovapo pashure, tizive kuti muri vamwari; zvirokwazvo, itai zvakanaka, kana itai zvakaipa, kuti tishamiswe, tizvione tose pamwechete.
41:24b.ISA.041.024 Tarirai imi hamuzi chinhu, nebasa renyu harizi chinhu; anokusanangurai anonyangadza.
41:25b.ISA.041.025 Ndamutsa mumwe anobva kurutivi rwokumusoro, zvino wasvika; mumwe anobva kumabudazuva, anodana zita rangu; iye achatsika vabati samatope, somuumbi anokanya ivhu.
41:26b.ISA.041.026 Ndianiko wakatiudza izvozvo kubvira pakutanga, kuti tizive? Napanguva yakare, kuti titi, Zvirokwazvo? Zvirokwazvo, hakuna anotiudza, zvirokwazvo, hakuna anotiratidza, zvirokwazvo, hakuna anonzwa mashoko enyu.
41:27b.ISA.041.027 Ndini ndichatanga kuti kuZiyoni, Tarirai, tarirai, havo; ndichatumira Jerusaremu nhume inouya namashoko akanaka.
41:28b.ISA.041.028 Kana ndichitarira, hakuna munhu; pakati pavo hakuna anogona kurayirira, angapindura shoko, kana ndichivabvunza.
41:29b.ISA.041.029 Tarirai, ava vose havana maturo, mabasa avo haana maturo, haazi chinhu; mifananidzo yavo yakaumbwa imhepo nezvisina maturo.
42
42:1b.ISA.042.001 Tarirai muranda wangu wandinotsigira, musanangurwa wangu anofadza mweya wangu. Ndakaisa Mweya wangu pamusoro pake, achavigira marudzi kururamisirwa.
42:2b.ISA.042.002 Haangadani, kana kudanidzira nenzwi rake, kana kunzwisa inzwi rake panzira dzomumusha.
42:3b.ISA.042.003 Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, nomwenje unopfungaira haangaudzimi; achavigira vanhu kururamisirwa muchokwadi.
42:4b.ISA.042.004 lye haangapfungairi kana kupwanyiwa, kusvikira agadza kururama panyika; zvivi zvichamirira murayiro wake.
42:5b.ISA.042.005 Zvanzi naMwari iye akasika denga rose, akaritatamura, iye akatambanudza nyika nezvinobvamo, iye anopa vanhu varimo kufema, navanofambapo mweya wavo,
42:6b.ISA.042.006 Ini Jehovha ndakudana nokururama, ndichabata ruoko rwako, ndichakuchengeta, ndikuite sungano yavanhu, uye chiedza chamarudzi;
42:7b.ISA.042.007 usvinudze meso asingaoni, ubudise vasungwa patorongo, navagere murima paimba yokusungwa.
42:8b.ISA.042.008 Ndini Jehovha, ndiro zita rangu; kukudzwa kwangu handingakupi mumwe, kana kurumbidzwa kwangu kumifananidzo yakavezwa.
42:9b.ISA.042.009 Tarirai, zvinhu zvakare zvaitika, ndinoparidza zvinhu zvitsva; ndinokuudzai izvozvo zvisati zvabukira.
42:10b.ISA.042.010 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, murumbidzei kubvira pamigumo yenyika; imi, munoburukira kugungwa, nezvose zviri mukati maro, zvivi navagere pazviri.
42:11b.ISA.042.011 Renje namaguta aro ngazvidanidzire, nemisha inogarwa naKedhari; vagere mumatombo ngavaimbe, ngavadanidzire vari pamusoro pamakomo.
42:12b.ISA.042.012 Ngavakudze Jehovha, vaparidzire zviwi kurumbidzwa kwake.
42:13b.ISA.042.013 Jehovha achabuda semhare, achamutsa kushingaira somunhu wokurwa; achadana, zvirokwazvo, achadanidzira, acharwa navavengi vake nesimba.
42:14b.ISA.042.014 Ndakanyarara nguva refu, ndakaramba ndinyerere, ndikazvidzora; zvino ndichachema somukadzi ari kusununguka, ndichafemedzeka nokutakwaira pamwechete.
42:15b.ISA.042.015 Ndichaparadza makomo nezvikomo, nokuomesa zvose zvinomerapo; nzizi ndichadziita zviwi, namadziva ndichaapisa.
42:16b.ISA.042.016 Mapofu ndichaafambisa nenzira yaasingazivi, pamakwara aasingazivi ndichatungamirira; rima ndichariita chiedza pamberi pavo, nezvakakombama ndichazviruramisa. Zvinhu izvi ndichazviita, handingavasiyi.
42:17b.ISA.042.017 Vanovimba nemifananidzo yakavezwa, vanoti kumifananidzo yakaumbwa, Imi muri vamwari vedu, ivo vadzoserwa shure, vachanyadziswa kwazvo.
42:18b.ISA.042.018 Inzwai, imi matsi; tarirai, imi mapofu, muone.
42:19b.ISA.042.019 Ndianiko bofu, haazi iye muranda wangu here? Ndiani matsi, senhume yangu yandinotuma?
42:20b.ISA.042.020 Anoona zvinhu zvizhinji, asi haacherekedzi; nzeve dzake dzakadziuka, asi haanzwi.
42:21b.ISA.042.021 Zvakafadza Jehovha, nokuda kwokururama kwake, kukudza murayiro nokuurumbidza
42:22b.ISA.042.022 Asi ava ndavanhu vakatorerwa nokupambarwa; vose vakateyiwa mumakomba, vakavanzwa mudzimba dzokusungwa, vava chinhu chakatapwa, hakuna anovarwira, chinhu chakapambwa, hakuna anoti, Dzosa!
42:23b.ISA.042.023 Ndianiko pakati penyu acharerekera nzeve dzake kune chinhu ichi? Achateerera nokunzwa panguva inouya?
42:24b.ISA.042.024 Ndianiko akarega Jakobho apambwe, nalsiraeri awirwe namakororo? Haazi Jehovha here? Iye watakatadzira, wavakaramba kufamba nenzira dzake, wavakaramba kuteerera murayiro wake.
42:25b.ISA.042.025 Naizvozvo akadurura pamusoro pake kutsamwa kwake kukuru, nesimba rokurwa; zvikamupisira kumativi ose, asingazvizivi; zvikamupisa, asi akanaga asine hanya nazvo.
43
43:1b.ISA.043.001 Asi zvino zvanzi naJehovha, akakusika, iwe Jakobho, akakuumba, iwe Isiraeri, Usatya hako, nokuti ndini ndakakudzikunura; ndakakudana nezita rako, uri wangu.
43:2b.ISA.043.002 Kana uchipinda nomumvura zhinji, ndichava newe, kana nomunzizi, hadzingakunyudzi; kana uchifamba nomumoto, haungatsvi, nomurazvo haungakupisi.
43:3b.ISA.043.003 Nokuti ndini Jehovha Mwari wako; ndakaisa Ijipiti ruve rudzikunuro rwako, Itiopia neShebha panzvimbo yako.
43:4b.ISA.043.004 Zvawakanga uchikosha pamberi pangu, uchikudzwa nokudikanwa neni, naizvozvo ndichaisa vanhu panzvimbo yako, namarudzi avanhu panzvimbo youpenyu hwako.
43:5b.ISA.043.005 Usatya hako, nokuti ndinewe; ndichauyisa vana vako vabve kumabvazuva, nokukuunganidza ubve kumavirazuva;
43:6b.ISA.043.006 ndichati kurutivi rwokumusoro, varege; nokurutivi rwezasi, usavadzivisa; uyai navanakomana vangu vari kure, navakunda vangu vari kumigumo yenyika;
43:7b.ISA.043.007 mumwe nomumwe anodanwa nezita rangu, wandakasika kuti ndikudzwe, wandakaumba, zvirokwazvo, wandakaita.
43:8b.ISA.043.008 Uyai namapofu, ana meso hawo, nematsi, dzine nzeve hadzo.
43:9b.ISA.043.009 Marudzi ose ngaaunganidzwe pamwechete, navanhu vakokerwe; ndianiko pakati pavo angatiudza izvozvi, angatiratidza zvinhu zvakare? Ngavauye nezvapupu zvavo, varuramiswe; ngavanzwe, vati, Ichokwadi.
43:10b.ISA.043.010 Zvanzi naJehovha, zvapupu zvangu, nomuranda wangu, wandakasanangura, kuti muzive, mugonditenda, munzwisise kuti ndini iye; hakuna mumwe mwari wakanditangira pakuumbwa, shure kwangu hakungazovipo mumwe.
43:11b.ISA.043.011 Ini iyeni, ndini Jehovha, kunze kwangu hakuna mumwe muponesi.
43:12b.ISA.043.012 Ini ndakaparidza, ini ndakaponesa, ini ndakaratidza; kwakanga kusina mwari wokumwe pakati penyu; saka imi muri zvapupu zvangu, neni ndiri Mwari, ndizvo zvinotaura Jehovha.
43:13b.ISA.043.013 Zvirokwazvo, kubva zuva ranhasi ndini iye; hakuna angwarwira munhu paruoko rwangu; ini ndichabata basa, ndiani angandidzivisa?
43:14b.ISA.043.014 Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri wenyu, Mutsvene waIsiraeri, Ndakatuma vanhu Bhabhironi, nokuda kwenyu, ndichavaburitsa vose vachitiza, ivo vaKaradhea muzvikepe zvavo zvomufaro.
43:15b.ISA.043.015 Ndini Jehovha, Mutsvene wenyu, Musiki waIsiraeri, Mambo wenyu.
43:16b.ISA.043.016 Ndizvo zvinotaura Jehovha, anoita nzira mugungwa, negwara pakati pemvura zhinji ine simba;
43:17b.ISA.043.017 anobudisa ngoro nebhiza, nehondo neane simba; vanovata pasi pamwechete, havangamukizve; havachapfuti, vadzimwa somwenje.
43:18b.ISA.043.018 Musarangarira zvinhu zvakapfuura, musafunga zvinhu zvakare.
43:19b.ISA.043.019 Tarirai, ndichaita chinhu chitsva; chobuda zvino; hamungachizivi here? Ndichaita nzira murenje, nenzizi musango.
43:20b.ISA.043.020 Mhuka dzebundo dzichandikudza, makava nemhou; nokuti ndinobudisa mvura zhinji murenje, nenzizi musango, kuti ndipe vanhu vangu, ivo vakasanangurwa, vanwe,
43:21b.ISA.043.021 ivo vanhu vandakazviumbira, kuti vaparidze kurumbidzwa kwangu.
43:22b.ISA.043.022 Kunyange zvakadaro hauna kudana kwandiri, iwe Jakobho, asi wakaneta neni, iwe Isiraeri.
43:23b.ISA.043.023 Hauna kundivigira makwai ako zvive zvipiriso zvingapiswa; hauna kundikudza nezvibayiro zvako. Handina kukuremedza kuti uuye nezvipiriso zvoupfu, handina kukunetsa ndichiti uuye nezvinonhuwira.
43:24b.ISA.043.024 Hauna kunditengera ipwa nemari, hauna kundigutisa namafuta ezvibayiro zvako; asi wakandiremedza nezvivi zvako, wakandinetsa nezvakaipa zvako.
43:25b.ISA.043.025 Ini, iyeni, ndini ndinodzima kudarika kwako nokuda kwangu, handicharangariri zvivi zvako.
43:26b.ISA.043.026 Ndiyeudzire, ngatitaurirane; rondedzera, kuti ururamisirwe.
43:27b.ISA.043.027 Teteguru vako vakatadza, navaporofita vako vakandidarikira.
43:28b.ISA.043.028 Naizvozvo ndakamhura machinda matsvene Jakobho ndakamuita chinhu chakatukwa naIsiraeri chinhu chinosekwa.
44
44:1b.ISA.044.001 Asi zvino chinzwa, iwe Jakobho, muranda wangu, naIsiraeri wandakasanangura,
44:2b.ISA.044.002 zvanzi naJehovha, akakuita, akakuumba kubvira pachizvaro, achakubatsira, Usatya hako, iwe Jakobho, muranda wangu, newe Jeshuruni, wandakasanangura.
44:3b.ISA.044.003 Nokuti ndichadira mvura pamusoro penyika ine nyota, nenzizi pamusoro pevhu rakaoma; ndichadira Mweya wangu pamusoro porudzi rwako, nokuropafadza kwangu pamusoro pavana vako;
44:4b.ISA.044.004 vachamera pakati pouswa, semikonachando pamvura inoyerera.
44:5b.ISA.044.005 Mumwe achati, Ndiri waJehovha, mumwezve achazvitumidza nezita raJakobho, mumwezve achanyora noruoko rwake, achiti, Ndiri waJehovha, nokutora zita raIsiraeri. Jehovha ndiye Mwari mumwe, zvifananidzo hazvina maturo
44:6b.ISA.044.006 Zvanzi naJehovha, Mwari wavaIsiraeri, noMudzikunuri wavo, Jehovha wehondo, Ndini wokutanga nowokupedzisira; kunze kwangu hakuna Mwari.
44:7b.ISA.044.007 Ndianiko angadana seni, nokuzviparidza, nokuzvigadzirira izvo, kubva panguva yandakagadza vanhu vakare-kare? Zvinhu zvinouya, nezvinozoitika, ngavazviparidze izvo.
44:8b.ISA.044.008 Musatya henyu, musavhunduka; handina kukuparidzirai izvozvo kare, nokukuratidzai here? Imi muri zvapupu zvangu. Kunomumwe Mwari kunze kwangu here? Zvirokwazvo, hakune rimwe dombo, ini handirizivi.
44:9b.ISA.044.009 Vose vanoita mifananidzo yakavezwa havana maturo, zvinhu zvavanofarira hazvibatsiri; zvapupu zvavo hazvioni uye hazvizivi, kuti vanyadziswe.
44:10b.ISA.044.010 Ndianiko akaita mwari, kana mufananidzo wakaumbwa, zvisingabatsiri chinhu?
44:11b.ISA.044.011 Tarirai, vose vanomunamatira vachanyadziswa; vakazviita, vanhu havo, ngavaunganidzwe pamwechete, ngavasimuke; vachatya, vachanyadziswa pamwechete.
44:12b.ISA.044.012 Mupfuri anopfura sanhu, anobata namazimbe, nokuriita nenyundo, nokuripfura noruoko rune simba; zvirokwazvo ane nzara, simba rake rinopera, haanwi mvura, ndokuziya.
44:13b.ISA.044.013 Muvezi anotambanudza rwonzi, anotara mufananidzo nepenzura,anounatsa nembezo, unoutara nechienzaniso , ndokuuveza zvakafanana nomunhu, zvakaenzana nomunhu akanaka, kuti ugare mumba.
44:14b.ISA.044.014 Zvino anozvitemera misidhari, ndokutora misipiresi nemiouki, achizvisanangurira mumwe pakati pemiti yomudondo; anosima mupaini, mvura inonaya ndokuukurisa.
44:15b.ISA.044.015 Zvino dzava huni dzomunhu, anotora dzimwe ndokudziya nadzo; zvirokwazvo, anobatidza moto nadzo, ndokubika chingwa; zvirokwazvo, anoveza mwari, ndokumunamata; anoita mufanananidzo wakavezwa, ndokuupfugamira.
44:16b.ISA.044.016 Rumwe rutivi rwawo anopisa nomoto, norumwe rutivi anogocha nyama, anoidya nyama, nokuguta zvirokwazvo, anozvidziyisa, ndokuti, Haiwa, ndadziya, ndaona moto.
44:17b.ISA.044.017 Nezvakasara anoita mwari, iwo mufananidzo wake wakavezwa; anoupfugamira, nokuunamata, nokunyengetera kwauri, achiti, Ndirwirei, nokuti ndimi mwari wangu.
44:18b.ISA.044.018 Havazivi, uye havarangariri, nokuti wakanamira meso avo, kuti varege kuona, nemoyo yavo, kuti varege kunzwisisa.
44:19b.ISA.044.019 Hakuna anorangarira, hakuna ruzivo kana njere dzinoti, Ndapisa rumwe rutivi rwawo mumoto, zvirokwazvo, ndabika chingwa pamazimbe awo; ndagocha nyama ndikaidya; zvino ndingaita chinonyangadza nezvakasara zvawo here? Ndingapfugamira danda romuti here?
44:20b.ISA.044.020 Anozvigutisa namadota; moyo wakanyengerwa wamutsausa, haagoni kusunungura moyo wake, kana kuti, Hakuna nhema muruoko rwangu rworudyi here?
44:21b.ISA.044.021 Funga zvinhu izvi, iwe Jakobho, naIsiraeri, nokuti ndiwe muranda wangu; ndakakuumba, uri muranda wangu; haiwa Isiraeri, haungakanganikwi neni.
44:22b.ISA.044.022 Ndakadzima kudarika kwako, segore gobvu, nezvivi zvako segore; dzokera kwandiri, nokuti ndakakudzikunura.
44:23b.ISA.044.023 Imba, iwe denga rose, nokuti Jehovha akaita izvozvo; danidzirai, mativi ezasi enyika; imbai zvikuru imi makomo, iwe dondo, nomuti mumwe nomumwe urimo; nokuti Jehovha akadzikunura Jakobho, achazvirumbidza muna Isiraeri.
44:24b.ISA.044.024 Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri wako, akakuumba kubva pachizvaro, Ndini Jehovha, anoita zvinhu zvose, anotatamura denga rose iye oga, anotambanudza nyika (ndiani waiva neni?)
44:25b.ISA.044.025 Iye anoparadza zviratidzo zvavane nhema, anopengesa vauki, anodzosa vachenjeri, achishandura zivo yavo uye upenzi.
44:26b.ISA.044.026 Iye anosimbisa shoko romuranda wake, anoita zvakarayirirwa nenhume dzake; iye anoti pamusoro peJerusaremu, Richagarwa navanhu, napamusoro pamaguta aJudha, Achavakwa, ini ndichamutsa matongo awo;
44:27b.ISA.044.027 iye anoti kumvura yakadzika, Chipwa, uye ndichapwisa nzizi dzako,
44:28b.ISA.044.028 iye anoti pamusoro paKoreshi, Ndiye mufudzi wangu, achaita zvose zvinondifadza, kana achiti pamusoro peJerusaremu Richavakwa, uye pamusoro petemberi, Nheyo dzako dzichateyiwa.
45
45:1b.ISA.045.001 Zvanzi naJehovha kumuzodzwa wake, kuna Koreshi, wandakabata ruoko rwake rworudyi, kuti ndikunde marudzi avanhu pamberi pake, ndichisunungura zviuno zvamadzimambo, ndimuzarurire misuo pamberi pake, namasuo arege kuzarirwa.
45:2b.ISA.045.002 Ini ndichaenda pamberi pako, ndichienzanisa pasina kuenzana; ndichaputsa-putsa misuo yendarira, nokugura-gura mipfigo yendarama;
45:3b.ISA.045.003 ndichakupa fuma iri murima, noufumi hwakavanzwa panzvimbo dzisingazikanwi, kuti uzive kuti ndini Jehovha, Mwari walsiraeri, anokudana nezita rako.
45:4b.ISA.045.004 Nokuda kwaJakobho muranda wangu, nokwaIsiraeri musanangurwa wangu, ndakakudana nezita rako, ndakakutumidza zita rakanaka, kunyange wakanga usingandizivi.
45:5b.ISA.045.005 Ndini Jehovha, hakuna mumwe; kunze kwangu hakuna mumwe Mwari. Ndichakusunga chiuno kunyange usina kundiziva;
45:6b.ISA.045.006 kuti vazive kubva kumabvazuva nokumavirazuva, kuti hakuna mumwe kunze kwangu; ndini Jehovha, hakuna mumwe.
45:7b.ISA.045.007 Ndini ndinoumba chiedza, nokusika rima; ndinoita rugare, nokusika njodzi; ndini Jehovha, anoita zvinhu izvi zvose.
45:8b.ISA.045.008 Iwe denga rose, donhedza zvichibva kumusoro, makore ngaadurure kururama, nyika ngaizaruke, kuti ibudise ruponeso, ibereke kururama pamwechete; ini Jehovha ndakazvisika.
45:9b.ISA.045.009 Ane nhamo anorwa noMuiti wake, icho chaenga pakati pezvaenga zvevhu! Ko ivhu ringati kunoanoriumba, Unoiteiko? Kana basa rako ringati, Haana maoko, here?
45:10b.ISA.045.010 Ane nhamo anoti kuna baba, Unoberekeiko? Kana kumukadzi, Unozvareiko?
45:11b.ISA.045.011 Zvanzi naJehovha, Mutsvene waIsiraeri, noMuiti wavo, Ndibvunzei pamusoro pezvichazoitwa; pamusoro pavanakomana vangu, napamusoro pebasa ramaoko angu, mundirayire.
45:12b.ISA.045.012 Ndakaita nyika, nokusika vanhu pamusoro payo; ini namaoko angu, ndakatatamura denga rose; ndakarayira hondo yose yaro.
45:13b.ISA.045.013 Ndakamumutsa nokururama, ndicharuramisa nzira dzake dzose; iye achavaka guta rangu, nokusunungura vatapwa vangu, asingatsvaki mutengo kana mubayiro, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
45:14b.ISA.045.014 Zvanzi naJehovha, Zvakabatirwa neljipiti, nezvakashambadzirwa neItiopia, navaShabhiya, ivo varume varefu, zvichauya kwauri, zvichava zvako; vachakutevera, vachauya vakasungwa namatare, vachapfugama pamberi pako, vachikunyengera, vachiti, Zvirokwazvo Mwari uri pakati pako, hakuna mumwe, hakuna mumwe Mwari.
45:15b.ISA.045.015 Zvirokwazvo, muri Mwari anovanda, imi Mwari waIsiraeri, Muponesi.
45:16b.ISA.045.016 Ivo vose vachanyadziswa vave nenyadzi; vaiti vezvifananidzo vachanyadziswa pamwechete.
45:17b.ISA.045.017 Asi vaIsiraeri vachaponeswa naJehovha noruponeso rusingaperi; hamunganyadziswi kana kuva nenyadzi kusvikira panguva dzisingaperi.
45:18b.ISA.045.018 Nokuti zvanzi naJehovha akasika denga rose, iye Mwari akaumba nyika nokuiita, akaisimbisa akasaisika kuti rive dongo, asi akaiumba kuti igarwe, zvanzi naye, Ndini Jehovha, hakuna mumwe.
45:19b.ISA.045.019 Handina kutaura pakavanda, panzvimbo yenyika yerima; handina kuti kurudzi rwaJakobho, Nditsvakei pasina, ini Jehovha, ndinotaura zvakarurama, ndinoparidza zvechokwadi.
45:20b.ISA.045.020 Unganai, muuye; swederai pamwechete, imi makapukunyuka kumarudzi; vanotakura matanda iri mifananidzo yavo yakavezwa havana ruzivo, ivo vanonyengetera mwari asingagoni kuponesa.
45:21b.ISA.045.021 Paridzai, muzvibudise; zvirokwazvo, ngavarangane pamwechete, vachiti, Ndiani akazviratidza izvi kubvira panguva yekare-kare? Ndiani akazviparidza pakutanga? Handizini Jehovha here? Hakuna mumwe Mwari kunze kwangu, Mwari akarurama noMuponesi, hakuna mumwe kunze kwangu,
45:22b.ISA.045.022 Tarirai kwandiri muponeswe imwi mativi ose enyika nokuti ndini Mwari hakuna mumwe.
45:23b.ISA.045.023 Ndakapika neni ndimene, shoko rabuda mumuromo mangu nokururama haringadzoki namabvi ose achandifugamira, marimi ose achapika neni.
45:24b.ISA.045.024 Zvanzi pamusoro pangu, Kururama nesimba zviri muna Jehovha bedzi; vanhu vachauya kwaari, vose vakanga vamutsamwira vachanyadziswa.
45:25b.ISA.045.025 Rudzi rwose rwaIsiraeri rucharuramisirwa muna Jehovha, nokuzvirumbidza maari.
46
46:1b.ISA.046.001 Bheri anowira pasi, Nebho anokotama; zvifananidzo zvavo zvezvipfuwo nemombe, zvinhu zvamaitakura zvakaitwa mutoro, wakatakudzwa zvipfuwo zvaneta.
46:2b.ISA.046.002 Vanokotama, vanowira pasi pamwechete, vakakoniwa kununura mutoro, asi ivo vamene vakatapwa.
46:3b.ISA.046.003 Nditeererei, imi imba yaJakobho, navakasara veimba yaIsiraeri, vakatakurwa neni kubva pakuberekwa kwavo, vakatakudzwa kubva pachizvaro;
46:4b.ISA.046.004 kusvikira mukukwegura, ndini iye, ndichakutakurai kusvikira vhudzi renyu rachena; ini ndakakuitai, ndichakutakurai, zvirokwazvo ndichakusimudzai, nokukurwirai.
46:5b.ISA.046.005 Muchandifananidza , nokundienzanisa , nokunditi ndakaita sani, wandingafanana naye?
46:6b.ISA.046.006 Ivo vanodurura ndarama pahombodo, nokuyera sirivha nechiyero, vanoripira mupfuri wendarama, iye ndokuita mwari nayo; zvino vowira pasi, nokunamata.
46:7b.ISA.046.007 Vanomusimudza pamapfudzi, vanomutakura, ndokumugadzika panzvimbo yake, iye ndokumira; haabvi panzvimbo yake, zvirokwazvo, kunyange munhu akadana kwaari, haagoni kupindura, kana kumuponesa pakutambudzika kwake.
46:8b.ISA.046.008 Rangarirai chinhu ichi, muve varume, fungaizve chinhu ichi, imi vadariki.
46:9b.ISA.046.009 Rangarirai zvinhu zvapfuura zvakare; nokuti ndini Mwari, hakuna mumwe, ndini Mwari, hakuna akafanana neni;
46:10b.ISA.046.010 iye anodanidzira kubva pakutanga izvo zvichaitika pakupedzisira, nokubva panguva yekare-kare zvinhu zvichigere kuitwa, ndichiti, Zvandakarayira zvichamira, ndichaita zvose zvandinoda;
46:11b.ISA.046.011 ndinodana gondo ribve kumabvazuva,munhu wandakaraira abve kunyika iri kure; zvirokwazvo, ndakataura, ndichazviuyisawo, ndakazvitema, ndichazviitawo.
46:12b.ISA.046.012 Nditeererei, imi mune moyo mikukutu, imi muri kure nokururama;
46:13b.ISA.046.013 Ndichaswededza kururama kwangu, hakungavi kure, noruponeso rwangu harunganonoki; ndichaisa ruponeso paZiyoni, nokubwinya kwangu pakati paIsiraeri.
47
47:1b.ISA.047.001 Buruka, ugare muguruva, iwe mhandara, mukunda weBhabhironi; gara pasi pasine chigaro choushe, iwe mukunda wavaKaradhea; nokuti hauchazonzi unoundere nechidikanwa.
47:2b.ISA.047.002 Tora guyo nehuyo ukuye upfu; bvisa chifukidziro chechiso chako, kurura rokwe rako, fukura gumbo rako, yambuka nzizi.
47:3b.ISA.047.003 Kusafuka kwako kuchava pachena, kunyadzwa kwako kuchaonekwa; ndichazvitsiva, ndisingarangariri munhu.
47:4b.ISA.047.004 Mudzikunuri wedu, zita rake rinonzi Jehovha wehondo, Mutsvene walsiraeri.
47:5b.ISA.047.005 Gara unyerere, upinde murima, iwe mukunda wavaKaradhea; nokuti hauchazonzi Vahosi hwovushe huzhinji.
47:6b.ISA.047.006 Ndakanga ndakatsamwira vanhu vangu, ndakamhura nhaka yangu, ndikavaisa mumaoko ako; iwe hauna kuvanzwira tsitsi, wakaisa joko rako rinorema kwazvo pamusoro pavatana.
47:7b.ISA.047.007 Ukati, Ndichava vahosi nokusingaperi; naizvozvo hauna kuisa zvinhu izvi muhana yako, hauna kurangarira kuguma kwazvo.
47:8b.ISA.047.008 Naizvozvo zvino chinzwa chinhu ichi, iwe unozvinofadza, ugere zvakasimba, unoti mumoyo mako Ndini ndoga, hakuna mumwe kunze kwangu; handingagari ndiri chirikadzi, handingazivi kufirwa navana.
47:9b.ISA.047.009 Asi zvinhu izvi zviviri zvichakuwira nechinguva chiduku, nezuva rimwechete, kufirwa navana, nouchirikadzi; zvichakuwira nechiyero chizere, pakati paunanga hwako huzhinji, nouroyi hwako hwakawanda.
47:10b.ISA.047.010 Nokuti wakavimba nezvakaipa zvako; wakati, Hakuna anondiona; wakakanganiswa nouchenjeri hwako nezivo yako, ukati mumoyo mako, Ndini ndoga, hakuna mumwe kunze kwangu.
47:11b.ISA.047.011 Nezvakaipa zvichakuwira, zvausingazivi kuvamba kwazvo; uchawirwa nenjodzi, yausingagoni kubvisa; kuparadzwa kuchakuwira pakarepo, kwausingazivi.
47:12b.ISA.047.012 Zvino uya nouroyi hwako nounanga hwako huzhinji, hwawakabata nahwo kubva pauduku hwako, zvimwe ungabatsirwa, zvimwe ungava nepundutso.
47:13b.ISA.047.013 Waneta nokuwanda kwamano ako; zvino, vanodudzira zvokudenga, navanocherekedza nyeredzi, navanofembera zvomwedzi mumwe nomumwe ngavasimuke, vakuponese pazvinhu zvichakuwira.
47:14b.ISA.047.014 Tarira, vachaita samashanga, vachapiswa nomoto, havangagoni kuzvirwira pasimba romurazvo; haungavi zimbe rokudziya, kana moto wokudziya.
47:15b.ISA.047.015 Ndizvo zvichaita zvose zvawakabatira; vakashambadzirana newe kubva pauduku hwako, vachadzungaira mumwe nomumwe nenzira yake; pachashaikwa anokuponesa.
48
48:1b.ISA.048.001 Inzwai izvi, imi imba yaJakoobho, makatumidzwa zita raIsiraeri, makabuda kumvura zhinji, yaJudha; imi, munopika nezita raJehovha, muchirumbidza Mwari walsiraeri, musingazviiti nechokwadi kana nokururama.
48:2b.ISA.048.002 (Nokuti vanozvidza veguta dzvene, vachisendama kuna Mwari waIsiraeri, zita rake ndiJehovha wehondo).
48:3b.ISA.048.003 Ndakakuita kuti unzve zvinhu zvakare kubva pakutanga; zvirokwazvo, zvakabuda mumuromo mangu, ndakazvizivisa, ndakazviita kamwe-kamwe, zvikaitika.
48:4b.ISA.048.004 Nokuti ndaiziva kuti moyo wako mukukutu, nomutsipa wako runda rwedare, nehuma yako ndarira;
48:5b.ISA.048.005 naizvozvo ndakakuparidzira izvozvo kubva pakutanga; ndakakuzivisa izvozvo zvisati zvaitika, kuti urege kuzoti, Chifananidzo changu ndicho chakaita izvozvo, mufananidzo wangu wakavezwa nomufananidzo wangu wakaumbwa ndizvo zvakarayira izvozvo.
48:6b.ISA.048.006 Wakazvinzwa; tarira izvi zvose; zvino imi hamungazviparidzi here? Ndakakuzivisa zvinhu zvakavanzwa, zvawakanga usingazivi.
48:7b.ISA.048.007 Zvasikwa zvino, zvakanga zvisipo kare; hauna kumbozvinzwa zuva rino risati rasvika; kuti urege kuti, Tarirai, ndaizviziva.
48:8b.ISA.048.008 Zvirokwazvo, hauna kunzwa, zvirokwazvo, hauna kuziva; zvirokwazvo, nzeve dzako dzakanga dzisina kudziurwa kubva panguva yakare; nokuti ndakaziva kuti wakaita nokunyengera, ukanzi mudariki kubva pachizvaro.
48:9b.ISA.048.009 Ndichanonotsa kutsamwa kwangu nokuda kwezita rangu, ndichazvidzora pamusoro pako nokuda kwokurumbidzwa kwangu, kuti ndirege kukuparadza.
48:10b.ISA.048.010 Tarira, ndakakunatsa, asi handina kuzviita sesirivha; ndakakuidza mumvoto yokutambudzika.
48:11b.ISA.048.011 Nokuda kwangu, nokuda kwangu, ndichazviita; nokuti zita rangu ringamhurwa sei? Handingapi mumwe kukudzwa kwangu.
48:12b.ISA.048.012 Nditeerere, iwe Jakobho, newe Isiraeri wandakadana ndini iye, ndini wokutanga, ndini wokupedzisirawo.
48:13b.ISA.048.013 Zvirokwazvo, ruoko rwangu rwakateya nheyo dzenyika ruoko rwangu rworudyi rwakatatamura denga rose; kana ndichizvidana, zvinosimuka pamwechete.
48:14b.ISA.048.014 Unganai imi mose, munzwe; ndianiko pakati pavo akaparidza zvinhu izvi? Iye anodikanwa naJehovha, achaita kuda kwake pamusoro peBhabhironi, ruoko rwake ruchava pamusoro pavaKaradhea.
48:15b.ISA.048.015 Ini, iyeni, ndini ndakataura izvozvo; zvirokwazvo, ndakamudana, ndakamuuyisa, achafambiswa panzira yakanaka.
48:16b.ISA.048.016 Swederai kwandiri, munzwe chinhu ichi; kubva pakutanga handina kutaura chinyararire; kubva panguva yokuitika kwazvo,ndiripo: akandituma, noMweya wake.
48:17b.ISA.048.017 Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri wako, Mutsvene walsiraeri, Ndini Jehovha Mwari wako, anokudzidzisa zvinokubatsira, anokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo.
48:18b.ISA.048.018 Haiwa! Dai wakateerera hako mirayiro yangu! Rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi, nokururama kwako samafungu egungwa!
48:19b.ISA.048.019 Vana vako vaiva sejecha, nezvibereko zvomuviri wako setsanga dzaro; zita rake harizaibviswa kana kuparadzwa pamberi pangu.
48:20b.ISA.048.020 Ibvai paBhabhironi, tizai vaKaradhea; paridzai nenzwi rokuimba, muzivise izvi, muzvireve kusvikira kumigumo yenyika; muti, Jehovha akadzikunura muranda wake Jakobho.
48:21b.ISA.048.021 Havana kunzwa nyota nguva yaakavafambisa mumarenje; akavayereresa mvura ichibva padombo, akatsemurawo dombo, mvura zhinji ikadzutuka.
48:22b.ISA.048.022 Zvanzi naJehovha, Vakaipa havana rugare.
49
49:1b.ISA.049.001 Ndinzwei, imi zviwi, teererai, imi marudzi avanhu ari kure, Jehovha akandidana ndiri muchizvaro, akareva zita rangu ndichiri mudumbu ramai vangu;
49:2b.ISA.049.002 akaita muromo wangu somunondo unopinza; akandivanza mumumvuri wechanza chake, akandiita museve unopenya, akandichengeta mugoba rake;
49:3b.ISA.049.003 akati kwandiri, Ndiwe muranda wangu; Isiraeri wandinozvirumbidza maari.
49:4b.ISA.049.004 Asi ndakati, Ndakatambura pasina, ndakapedza simba rangu pasina pazvinhu zvisina maturo; asi zvirokwazvo kururamisirwa kwangu kuri kuna Jehovha, nomubayiro wangu kuna Mwari wangu.
49:5b.ISA.049.005 Zvino zvanzi naJehovha, akandiumba kubva pachizvaro, kuti ndive muranda wake, ndidzosere Jakobhozve kwaari, uye kuti Isiraeri vaunganidzwezve kwaari, (nokuti ndinokudzwa pamberi paJehovha, Mwari wangu ndiye wava simba rangu);
49:6b.ISA.049.006 zvirokwazvo, iye akati, Chinhu chiduku kuti uve muranda wangu kuti umutse marudzi aJakobho, nokudzosazve vakasara vaIsiraeri; ndichapawo uve chiedza chavahedheni, kuti kuponesa kwangu kusvikire kumugumo wenyika.
49:7b.ISA.049.007 Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri waIsiraeri, noMutsvene wake, kumweya unozvidzwa , kuno anovengwa norudzi rwose, kumuranda wavabati, Madzimambo achaona ndokusimuka; machinda naiwo achanamata, nokuda. kwaJehovha akatendeka, iye Mutsvene waIsiraeri, wakakusanangura.
49:8b.ISA.049.008 Zvanzi naJehovha, Ndakakupindura nenguva yakafanira, ndakakubatsira nezuva rokuponeswa; ndichakuchengeta, nokukuita sungano yavanhu, kuti umutse nyika, nokuvagarisa nhaka dzakanga dzaparadzwa;
49:9b.ISA.049.009 kuti uti kuna vakasungwa, Budai; nokuna vagere murima, Zviratidzei. Vachadya zvokudya panzira, namafuro avo achava pazvikomo zvisina zvibereko.
49:10b.ISA.049.010 Havangavi nenzara kana nyota, havangabayiwi nokupiswa kunyange nezuva, nokuti iye, anovanzwira nyasha, achavatungamirira, achavafambisa pamatsime emvura.
49:11b.ISA.049.011 Ndichaita makomo angu ose nzira, migwagwa yangu ichakwiridzwa.
49:12b.ISA.049.012 Tarirai, vamwe vachauya vachibva kure; tarirai, vamwe vachabva kurutivi rwokumusoro nokumavirazuva, navamwe kunyika yeSinimi.
49:13b.ISA.049.013 Imbai, imi denga rose, newe nyika ufare; imi makomo imbai kwazvo, nokuti Jehovha akanyaradza vanhu vake, achinzwira tsitsi vanotambudzika.
49:14b.ISA.049.014 Asi Ziyoni rakati Jehovha akandisiya, Ishe akandikanganwa.
49:15b.ISA.049.015 Ko mukadzi angakanganwe mwana wake waanomwisa, akasava netsitsi nomwanakomana wechizvaro chake here? Zvirokwazvo vangakanganwa zvavo, asi ini handingakukanganwi.
49:16b.ISA.049.016 Tarira, ndakakunyora pazvanza zvangu; masvingo ako ari pamberi pangu nguva dzose.
49:17b.ISA.049.017 Vana vako vanokurumidza; vaparadzi vako navanokuita dongo vachabuda mauri.
49:18b.ISA.049.018 Ringira kwose-kwose nameso ako, uone; ava vose vanoungana pamwechete, vachiuya kwauri. Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, zvirokwazvo uchazvifukidza navo vose sechishongo, uchazvisunga chiuno navo somwenga.
49:19b.ISA.049.019 Nokuti, kana ari matongo ako nenzvimbo dzako dzakasiyiwa, nenyika yako yakaparadzwa, zvirokwazvo zvino haingaringani vagere mairi, navanokuminya vachava kure.
49:20b.ISA.049.020 Vana, vawakanga watorerwa, vacharamba vachiti munzeve dzako, Pano hapandiringani, ndidzivurirei nzvimbo pandingagara.
49:21b.ISA.049.021 Ipapo uchati mumoyo mako, Ndianiko akandiberekera ava, zvandakatorerwa vana vangu, ndiri ndoga, ndadzingwa, ndichidzungaira kwose-kwose? Ndianiko akarera ava? Tarirai, ndakanga ndasiyiwa ndoga; ko ava vakanga varipi?
49:22b.ISA.049.022 Zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndichasimudzira marudzi ruoko rwangu, nokumisira vanhu mureza wangu; vachauya navanakomana vako vanavo pachipfuva chavo, navakunda vako vachatakurwa pamafudzi avo.
49:23b.ISA.049.023 Madzimambo achava varerai; vahosi vavo madzimai enyu anokurerai vachakotama pamberi penyu zviso zvavo zvakatarira pasi, vachinanzva guruva riri patsoka dzenyu; ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha; vanondimirira havanganyadziswi.
49:24b.ISA.049.024 Ko ane simba angatorerwe zvaakapamba here, kana vatapwa vowakarurama vangarwirwa here?
49:25b.ISA.049.025 Asi zvanzi naJehovha, Kunyange navatapwa veanesimba vachamutorerwa, nezvakapambwa zveanotyisa zvichadzikunurwa; nokuti ndicharwa neanorwa newe, nokuponesa vana vako.
49:26b.ISA.049.026 Uye ndichadyisa vamanikidzi vako nyama yavo yomene,uye vachabatwa neropa ravo, seinenge iri waini inonaka; uye nyama yose ichaziva kuti ini Jehovha, ndini Muponesi wako, noMudzikunuri wako, Anesimba waJakobho.
50
50:1b.ISA.050.001 Ndizvo zvinotaura Jehovha, Ruripiko rugwaro rwokuramba mai venyu, vandakaramba? Kana ndiyani wandine chikwereti naye, wandakakutengesai kwaari? Tarirai makazvitengesa nokuda kwezvakaipa zvenyu, uye nokuda kwokudarika kwenyu, mai venyu vakarashwa.
50:2b.ISA.050.002 Sei pakusvika kwangu kwakanga kusina munhu? Pakudana kwangu kwakanga kusina anopindura? Ko ruoko rwangu rwakatongopfupiswa here?, kuti rukoniwe kudzikunura? Handina simba rokurwira here? Tarirai nokutuka kwangu, ndinopwisa gungwa , Ndinoita nzizi dzive renje; hove dzadzo dzinhuwhe, nokuti hadzina mvura, dzinofa nenyota.
50:3b.ISA.050.003 Ndinofukidza matenga nokusviba, Ndinoita masaga ave chifukidziro chawo. Kuteerera kweMuranda waJehovha
50:4b.ISA.050.004 Ishe Jehovha akandipa rurimi rwavakadzidza, kuti ndizive kutaura shoko nenguva yakafanira kune vakaneta ; anomuka mangwanani ose, anomutsa nzeve dzangu kuti ndinzwe savanodzidziswa.
50:5b.ISA.050.005 Ishe Mwari wakadziura nzeve dzangu,vuye handina kupanduka kana kudzokera shure.
50:6b.ISA.050.006 Ndakapa musana wangu kuvarovi, namatama angu kuna vakatavura ndebvu dzangu; handina kuvanza chiso changu pakunyadziswa nokupfirwa mate.
50:7b.ISA.050.007 Nokuti Ishe Mwari achandibatsira, naizvozvo handina kunyadziswa; naizvozvo ndakaita chiso changu semusarasara,vuye ndinoziva kuti handinganyadziswi.
50:8b.ISA.050.008 Ari pedo iye unondiruramsa; ndiani acharwa neni?Ngatimirei pamwechete, Ndiani mudzivisi wangu? Ngaaswedere kwandiri.
50:9b.ISA.050.009 Tarirai, Ishe, Jehovha achandibatsira; ndiani angandipa mhosva? Tarirai, avo vose vachasakara senguvo;zvipfunho. zvichavadya.
50:10b.ISA.050.010 Ndianiko pakati penyu anotya Jehovha, anoteerera inzwi romuranda wake? Anofamba murima,vuye asina chiedza, ngaavimbe nezita raJehovha, asendame kuna Mwari wake.
50:11b.ISA.050.011 Tarirai, imi mose, munobatidza moto, munozvisunga zviuno nezvitsiga; fambai muchiedza chomoto wenyu, napakati pezvitsiga zvamakabatidza. Muchapiwa izvozvo noruoko rwangu, muchavata pasi muchitambudzika.
51
51:1b.ISA.051.001 Teererai kwandiri, imi munotevera kururama, imi munotsvaka Jehovha; cherechedzai dombo pamakatemwa, negomba romugodhi pamakacherwa.
51:2b.ISA.051.002 Tarairai Abhurahamu, baba venyu, naSara akakuberekai; nokuti ndakamudana achiri mumwechete, ndikamuropafadza, ndikamuita vazhinji.
51:3b.ISA.051.003 Nokuti Jehovha akanyaradza Ziyoni; akanyaradza matongo aro ose, akashandura renje raro rive seEdheni, negwenga raro rive somunda waJehovha; mufaro nokufarisisa zvichawanikwamo, nokuvonga nenzwi rokuimba.
51:4b.ISA.051.004 Teererai kwandiri, imi vanhu vangu; rerekai nzeve dzenyu kwandiri, imi rudzi rwangu; nokuti ndichatema murayiro, zvakarurama zvangu ndichazviita chiedza chavanhu.
51:5b.ISA.051.005 Kururama kwangu kuri pedo, ruponeso rwangu rwabuda, vuye maoko angu achatonga vanhu; zvivi zvichandimirira, zvichavimba noruoko rwangu.
51:6b.ISA.051.006 Tarirai kudenga nameso enyu, mucherechedze nyika pasi; nokuti denga rose richanyangarika soutsi, nenyika ichasakara senguvo; vageremo vachafa sohunyunyu; asi ruponeso rwangu ruchava nokusingaperi, kururama kwangu hakungaperi.
51:7b.ISA.051.007 Nditeererei, imi munoziva kururama; vanhu vanomurayiro wangu pamoyo yenyu; musatya kuzvidza kwavanhu, kana kuvhunduswa nokutuka kwavo.
51:8b.ISA.051.008 Nokuti zvipfukuto zvichavadya senguvo, nerukonye guchavadya semvere; asi kururama kwangu kuchavapo nokusingaperi, noruponeso rwangu kusvikira kumarudzi namarudzi.
51:9b.ISA.051.009 Muka, muka zvifukidze nesimba, iwe ruoko rwaJehovha; muka sapamazuva akare, sapamarudzi enguva dzakarekare. Ko hamuzimi makagura Rahabhi, mukakuvadza chikara here?
51:10b.ISA.051.010 Ko hamuzimi makapwisa gungwa, nemvura yakadzika , mukaitawo nzvimbo dzakadzika dzegungwa nzira pangayambuka vakadzikunurwa here?
51:11b.ISA.051.011 Naizvozvo Vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka, vachaenda Ziyoni vachiimba; nomufaro usingaperi uchava pamisoro yavo, vachawana mufaro nokufarisisa, kuchema nokugomera kuchatiza.
51:12b.ISA.051.012 Ini, iyeni, ndini ndinokunyaradzai; ndiwe aniko, uchatya munhu anozofa, kana Mwanakomana womunhu, achaitwa souswa;
51:13b.ISA.051.013 vuye wakakanganwa Jehovha muiti wako akatatamura matenga ose,nekuteya nheyo dzenyika; ukaramba uchingotya mazuva ose nokuda kwehasha dzomumanikidzi, seakazvigadzira kuparadza here? Vuye hasha dzomumanikidzi dziripiko?
51:14b.ISA.051.014 Musungwa wakatapwa achakurumidza kusunungurwa,Vuye haangafi nokuburukira mugomba, zvokudya zvake hazvingashaikwi.
51:15b.ISA.051.015 Nokuti ndini Jehovha Mwari wako, anoparadzanisa gungwa, rine mafungu anotinhira; Jehovha wehondo ndiro zita rake.
51:16b.ISA.051.016 Ndakaisa mashoko angu mumuromo mako, ndikakufukidza mumumvuri woruoko rwangu, kuti ndivambe matenga , nokuteya nheyo dzenyika, nditi kuZiyoni, Imi muri vanhu vangu.
51:17b.ISA.051.017 Muka, muka, simuka, iwe Jerusaremu,iwe wakamwa paruvoko rwaJehovha mukombe wokutsamwa kwake; wakamwa manzete emukombe wose wokudederesa, ukaapedza kwazvo.
51:18b.ISA.051.018 Hakuna nomumwe pakati pavanakomana vake vose vaakabereka angamutungamirira, hakuna angamubata noruoko pakati pavanakomana vose vaakarera.
51:19b.ISA.051.019 Zvinhu izvi zviviri zvakuwira; ndianiko achakunzwira tsitsi? Kusiyiwa nokuparadzwa, nenzara nomunondo; ndingakunyaradza sei?
51:20b.ISA.051.020 Vanakomana vako vaziya, vavete pamigumo yenzira dzomumusha, senzombe yesango yabatwa mumambure; vazadzwa nokutsamwa kwaJehovha nokutuka kwaMwari wako.
51:21b.ISA.051.021 Naizvozvo zvino chinzwa chinhu ichi, iwe unotambudzika, wakabatwa, asi kwete newaini,
51:22b.ISA.051.022 Ndizvo zvinotaura IShe wako Jehovha, naMwari wako,unoreverera vanhu vake, Tarirai, ndakabvisa muruoko rwako mukombe wokudzedzeresa, iwo manzete emukombe wokutsamwa kwangu, haungazoanwizve.
51:23b.ISA.051.023 Asi ndichauisa muruoko rwavanokutambudza, ivo vakati kumweya wako, Kotama,kuti tipfuure napamusoro; iwe ukaita musana wako sapasi, senzira yomumusha yavanopfuvura.
52
52:1b.ISA.052.001 Muka, muka, iwe Ziyoni, uzvifukidze nesimba rako; pfeka nguvo dzako dzakaisvonaka, iwe Jerusaremu, guta dzvene; nokuti kubva zvino hakuna angapinda mukati mako asina kudzingiswa nousakanaka.
52:2b.ISA.052.002 Zvizunze ubve muguruva; simuka, ugare kwazvo, iwe Jerusaremu; zvisunungura pazvisungo zviri pamutsipa wako, iwe mukunda wakatapwa weZiyoni.
52:3b.ISA.052.003 Nokuti zvanzi naJehovha Makazvitengesa kusina mutengo; muchadzikunurwa kusina mari.
52:4b.ISA.052.004 Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, Vanhu vangu vakaburukira Ijipiti kare kundogarako, muAsiria akavamanikidza pasina mhosva.
52:5b.ISA.052.005 Ko zvino ndinoonei pano; ndizvo zvinotaura Jehovha; vanhu vangu zvavabviswa pasina? Vanovabata ushe vanopopota, zita rangu rinongomhurwa zuva rose, ndizvo zvinotaura Jehovha.
52:6b.ISA.052.006 Saka vanhu vangu vachaziva zita rangu; saka vachaziva nezuva iro kuti ndini iye anotaura; tarirai, ndini.
52:7b.ISA.052.007 Dzakanaka sei pamusoro pamakomo tsoka dzoanouya namashoko akanaka, anoparidza rugare, anouya namashoko akanaka ezvinhu zvakanaka, anoparidza ruponeso, anoti kuZiyoni, Mwari wako anobata ushe!
52:8b.ISA.052.008 Chinzwa inzwi renharirire dzako! Dzinodana namanzwi, dzinoimba pamwechete; nokuti dzichaonana zviso zvakatarisana, kana Jehovha achidzokera Ziyoni.
52:9b.ISA.052.009 Pururudzai nomufaro, imbai pamwechete, imi matongo eJerusaremu, nokuti Jehovha wakanyaradza vanhu vake, wakadzikunura Jerusaremu.
52:10b.ISA.052.010 Jehovha akafukura ruoko rwake rutsvene pamberi pamarudzi ose; migumo yose yenyika yakaona ruponeso rwaMwari wedu.
52:11b.ISA.052.011 Ibvai, ibvai, budai ipapo, musanyangata chinhu chine tsvina; budai pakati paro; zvinatsei, imi munotakura nhumbi dzaJehovha.
52:12b.ISA.052.012 Nokuti hamungabudi muchikurumidza, kana kuenda muchitiza; nokuti Jehovha achakutungamirirai; Mwari waIsiraeri achakurindirai mumashure.
52:13b.ISA.052.013 Tarirai, muranda wangu achaita nokuchenjera, achakwiridzwa nokusimudzwa, nokukwirira kwazvo.
52:14b.ISA.052.014 Vazhinji sezvavakashamiswa pamusoro pako, (chiso chake chakanga chakakuvadzwa kupfuura chavamwe vanhu, nechimiro chake kupfuura chavanakomana vavanhu),
52:15b.ISA.052.015 saizvozvo achavhundusa marudzi mazhinji; madzimambo achapfumbira miromo yawo pamusoro pake, nokuti vachaona zvavasina kumboudzwa; vachanzwisisa zvavasina kumbonzwa.
53
53:1b.ISA.053.001 Ndianiko akatenda zvatakaparidzirwa? Ruoko rwaJehovha rwakaratidzwa kuna ani?
53:2b.ISA.053.002 Nokuti akamera pamberi pake sebukira, nyoro, somudzi unobuda pavhu rakaoma; haane chimiro kana umambo; kana tichimuona, haana kunaka kuti timude.
53:3b.ISA.053.003 Akazvidzwa, nokuraswa navanhu, munhu wokurwadziwa, akaziva urwere, somunhu anovanzirwa navanhu zviso zvavo; akazvidzwa nesu hatina kumukudza.
53:4b.ISA.053.004 Zvirokwazvo, akatakura matenda edu, nokusimudza kurwadziwa kwedu; asi isu takati akatambudzwa, akarohwa naMwari nokumanikidzwa.
53:5b.ISA.053.005 Asi akakuvadzwa nokuda kwokudarika kwedu, akarwadziwa nokuda kwezvakaipa zvedu; kurohwa kwakativigira rugare kwakanga kuri pamusoro pake, takaporeswa namavanga ake.
53:6b.ISA.053.006 Isu tose samakwai, takanga takarasika , takatsauka mumwe nomumwe nenzira yake; vuye Jehovha akaisa pamusoro pake kuipa kwedu tose.
53:7b.ISA.053.007 Akamanikidzwa,akarohwa, kunyange zvakadaro haana kushamisa muromo wake;akauyiswa segwayana rinoiswa kundobayiwa uye segwai pamberi pavavevuri varo,akanyarara, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.
53:8b.ISA.053.008 Akabviswa pakumanikidzwa napakutongwa, ndianiko angaparidza zera rake? nokuti akagurwa akabviswa panyika yavapenyu? Nokuda kwokudarika kwavanhu vangu; akarohwa.
53:9b.ISA.053.009 Akaita bwiro bwake pamwechete navakaipa, akava navamufumi pakufa kwake, nokuti haana kuita chisakarurama, kunyengera hakuna kuwanikwa mumuromo make.
53:10b.ISA.053.010 Asi kwaiva kuda kwaJehovha kuti apwanyiwe; wakamurwadzisa; ipapo uchaita mweya wake chibairo chezvivi, achaona zvibereko zvake, achawedzera mazuva ake, zvinodikanwa naJehovha zvichabudirira muruoko rwake.
53:11b.ISA.053.011 Achaona zvaakatamburira nomweya wake, akagutiswa; nokuziva kwake muranda wangu akarurama acharuramisira vazhinji; achatakura zvakaipa zvavo.
53:12b.ISA.053.012 Saka ndichamuganhurira mugove pamwechete navakuru, achagoverana zvakapambwa navane simba; nokuti akadurura mweya wake kukufa, akaverengwa pamwechete navadariki; uye akatakura chivi chavazhinji, akanyengeterera vadariki.
54
54:1b.ISA.054.001 Imba, iwe ngomwa, iwe usina kubereka;muka nokuimba , udanidzirise, iwe usina kumbosununguka; nokuti vana vouri oga vazhinji kukunda vana vomukadzi akawanikwa.Ndizvo zvinotaura Jehovha.
54:2b.ISA.054.002 Kurisa nzvimbo yetende rako, ngavatatamure maketeni eugaro hwako; usarega, urebese mabote ako, usimbise mbambo dzako.
54:3b.ISA.054.003 Nokuti uchapararira kuruoko rworudyi nokuruboshwe;vana vako vachagara nhaka yavahedheni,vaite matongo agarwe.
54:4b.ISA.054.004 Usatya , nokuti haunganyadziswi;uye usakanganiswa, nokuti haungavi nenyadzi; nokuti uchakanganwa kunyara kwohumhandara hwako, haungazorangariri kuzvidzwa kwohuchirikadzi hwako.
54:5b.ISA.054.005 Nokuti Muiti wako ndiye murume wako, Jehovha wehondo ndiro zita rake; Mudzikunuri wako ndiye Mutsvene waIsiraeri, iye achanzi Mwari wenyika yose.
54:6b.ISA.054.006 Nokuti Jehovha akakudana somukadzi, akasiyiwa ane shungu pamweya, somukadzi akawanikwa achiri muduku ndokuzorambwa ndizvo zvinotaura Mwari wako.
54:7b.ISA.054.007 Kwechinguvana,ndakakusiya , asi nenyasha huru ndichakuunganidza.
54:8b.ISA.054.008 Nehasha dzakapupuma, ndakakuvanzira chiso changu kwechinguvana ; asi nohunyoro husingaperi ndichakunzwira nyasha , ndizvo zvinotaura Jehovha Mudzikunuri wako.
54:9b.ISA.054.009 Nokuti izvi zvakaita semvura yaNoa kwandiri; nokuti sezvandakapika kuti mvura yaNoa haingazodarikizve napanyika, saizvozvo ndakapika kuti handichazokutsamwiri, kana kukutuka.
54:10b.ISA.054.010 Nokuti makomo achabva, nezvikomo zvibviswe, asi hunyoro hwangu haungabvi kwauri, Kana sungano yangu yorugare haingabviswi ndizvo zvinotaura Jehovha ane nyasha newe. Jerusarema idzva
54:11b.ISA.054.011 Haiwa, iwe mutambudziki, wakaposerwa nedutu remhepo, usina kunyaradzwa, tarira, ndichateya mabwe ako namavara akanaka, ndichateya nheyo dzako namabwe esafiri.
54:12b.ISA.054.012 Ndichaita shongwe dzako ne-agati*, namasuo ako ne-kabhunakeri*, nomuganho wako wose namabwe anofadza.
54:13b.ISA.054.013 Navana vako vose vachadzidziswa naJehovha,uye ruchava rukuru, rugare rwavana vako.
54:14b.ISA.054.014 Uchasimbiswa mukururama; uchava kure nokumanikidzwa, nokuti haungatyi, uye kure nezvinotyisa, nokuti hakungaswederi kwauri.
54:15b.ISA.054.015 Tarira, vachavungana,asi kwete neni Aninani unovungana pamwe kurwa newe uchawa nokuda kwako.
54:16b.ISA.054.016 Tarira, ndakasika mupfuri anopfutidza mazimbe mumoto , ndokuita nhumbi yebasa rake; uye ini ndakasika muparadzi, kuti aparadze.
54:17b.ISA.054.017 Hakuna nhumbi yokurwa inopfurwa kuzorwa newe ingabudirira; rurimi rumwe norumwe runokukwirira pakutongwa ruchapiwa mhosva. Ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha, nokururama kwavo ndokwangu ndizvo zvinotaura Jehovha.
55
55:1b.ISA.055.001 Nhai, imi mose mune nyota, uyai kumvura zhinji, noasina mari, uyai, mutenge mudye; zvirokwazvo, uyai mutenge waini nomukaka, musine mari, pasina mutengo. .
55:2b.ISA.055.002 Munoparadzireiko mari muchitenga zvisati zviri zvokudya, nesimba renyu muchitenga zvisingagutisi? Nditeererei zvakanaka, mudye zvakanaka,uye mweya yenyu ngaizvifadze nezvakakora.
55:3b.ISA.055.003 Rerekai nzeve yenyu, muuye kwandiri; inzwai, mweya yenyu igorarama; ndichaita nemi sungano isingaperi, nyasha dzazvokwadi dzakapikirwa Dhavhidhi.
55:4b.ISA.055.004 Tarirai, ndakamuita chapupu kumarudzi avanhu, ave mutungamiriri nomubati wamarudzi.
55:5b.ISA.055.005 Tarira, uchadana rudzi rwawakanga usingazivi, norudzi rwakanga rusingakuzivi, iwe ruchamhanyira kwauri, nokuda kwaJehovha Mwari wako, nokwoMutsvene waIsiraeri; nokuti iye akakukudza.
55:6b.ISA.055.006 Tsvakai Jehovha achawanikwa, danai kwaari achiri pedo.
55:7b.ISA.055.007 Akaipa ngaasiye nzira yake, nomunhu asakarurama mirangariro yake; ngaadzokere kuna Jehovha, iye achamunzwira nyasha, nokuna Mwari wedu, nokuti achakanganwira zvikuru.
55:8b.ISA.055.008 Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu, nenzira dzenyu hadzizi nzira dzangu ndizvo zvinotaura Jehovha.
55:9b.ISA.055.009 Nokuti denga sezvarakakwirira kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupfuura nzira dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.
55:10b.ISA.055.010 Nokuti mvura nechando sezvazvinoburuka zvichibva kudenga, zvisingazodzokeriko, asi zvinodiridza nyika, zvichiiberekesa nokuitungisa maruva, ichipa mudzvari mbewu, nomudyi zvokudya,
55:11b.ISA.055.011 ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.
55:12b.ISA.055.012 Nokuti muchabuda nomufaro, nokufambiswa norugare; makomo nezvikomo zvichaimba nomufaro pamberi penyu; miti yose yokudondo ichauchira.
55:13b.ISA.055.013 Panzvimbo yomuti womunzwa pachamera musaipuresi, panzvimbo yorukato pachamera mumirite; zvichava kuna Jehovha mukurumbira nechiratidzo chisingaperi, chisingazoparadzwi.
56
56:1b.ISA.056.001 Zvanzi naJehovha, Chengetai kururamisa, muite zvakarurama; nokuti ruponeso rwangu rwodokusvika, kururama kwangu kworatidzwa.
56:2b.ISA.056.002 Akaropafadzwa munhu anoita izvozvi, noMwanakomana womunhu anozvibatisisa, anochengeta Sabata kuti arege kurimhura, nokudzora ruoko rwake kuti arege kuita chinhu chakaipa.
56:3b.ISA.056.003 Mutorwa akanamatira Jehovha, ngaarege kutaura achiti, Zvirokwazvo Jehovha achandiparadzanisa navanhu vake; nowakachekwa ngaarege kuti, Tarirai, ndiri muti wakaoma.
56:4b.ISA.056.004 Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro pavakachekwa, Vanochengeta maSabata angu, nokusanangura zvinhu zvinondifadza, vachibatisisa sungano yangu.
56:5b.ISA.056.005 Ndichavapa mumba mangu nomukati mamasvingo angu chiyeudzo nezita rinopfuura ravanakomana navanasikana; ndichavapa zita risingaperi, risingazoparadzwi.
56:6b.ISA.056.006 Navatorwawo vanonamatira Jehovha, kuti vamushumire, nokuda zita raJehovha, nokuva varanda vake, mumwe nomumwe anochengeta Sabata kuti arege kurimhura, nokubatisisa sungano yangu;
56:7b.ISA.056.007 ivavo ndichavauyisa kugomo rangu dzvene, nokuvafadza muimba yangu yokunyengetera; zvipiriso zvavo zvinopiswa nezvibayiro zvavo zvichagamuchirwa paaritari rangu; nokuti imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yavanhu vose.
56:8b.ISA.056.008 Ishe Jehovha, anounganidza vakadzingwa vaIsiraeri, anoti, Ndichaunganidzazve vamwe kwaari, pamwechete navake vakaunganidzwa. Zvivi zvaIsiraeri nezvavatungamiriri vavo
56:9b.ISA.056.009 Imi zvikara zvose zvokusango, uyai mudye, imi zvikara zvose zvokudondo.
56:10b.ISA.056.010 Nharire dzake mapofu, vose havane zivo; dzose imbwa dzisingagoni kutaura, dzisingagoni kuhukura, dzinorota, dzinovata pasi, dzinofarira kuvata.
56:11b.ISA.056.011 Zvirokwazvo, imbwa dzinokara, dzisingatongoguti; ava vafudzi, vasingagoni kunzwisisa, mumwe nomumwe wakatsaukira kunzira yake, mumwe nomumwe kufuma yake, vose-vose.
56:12b.ISA.056.012 Vanoti, Uyai, ndichauya newaini, tichaguta nezvinobata, mangwana achaita sezuva ranhasi,zuva guru-guru kwazvo.
57
57:1b.ISA.057.001 Akarurama anoparara, asi hakuna munhu ane hanya nazvo; navanoda Mwari vanobviswa, kusina munhu anorangarira kuti vakarurama vanobviswa pazvakaipa.
57:2b.ISA.057.002 Asi vakaipa vakafanana negungwa rakabvongodzwa; nokuti harigoni kuzorora, asi mvura yaro inobudisa matope namarara.
57:3b.ISA.057.003 Asi swederai pano, imi vanakomana vomuroyi, zvibereko zvemhombwe nechifeve.
57:4b.ISA.057.004 Munofara pamusoro paani? Munoshamisira ani muromo wenyu, nokubudisa rurimi rwenyu? Ko hamuzi vana vokudarika, zvibereko zvenhema,
57:5b.ISA.057.005 iyemi, munozvimutsa pakati pemiouki, napasi pomuti mumwe nomumwe mutema, imi munobaya vana mumipata, pasi pemikaha yamatombo?
57:6b.ISA.057.006 Pakati pamabwe anotedza omupata ndipo panomugove wako; iwo, iwo ndizvo zvawakagoverwa; ndizvo zvawakadururira chipiriso chinodururwa, zvawakavigira chipo. Ko ini ndichayananiswa naizvozvo here?
57:7b.ISA.057.007 Wakawadza nhovo dzako pamusoro pegomo rakareba rakakwirira; ndiko kwawakakwira kundobayira zvibayiro.
57:8b.ISA.057.008 Wakaisa chirangaridzo chako shure kwemikova nezvivivo, nokuti wakazvifukurira mumwe, asati ari ini, ukakwira; wakakurisa nhovo dzako, ukaita sungano navo; wakada nhovo dzavo kwawakadziwana.
57:9b.ISA.057.009 Ukaenda kuna mambo namafuta, ukawedzera zvinonhuwira zvako, ukatuma nhume dzako kure, ukazvininipisa kusvikira paSheori.
57:10b.ISA.057.010 Wakaneta norwendo rwako rukuru; kunyange zvakadaro hauna kuti, Hazvina maturo; wakawana simba rako richivandudzwa, naizvozvo hauna kupera simba.
57:11b.ISA.057.011 Wakatya nokuvhunduka aniko, zvawareva nhema, ukasandirangarira, nokuva nehanya? Ko ini handina kuramba ndinyerere nguva refu, ukasanditya here?
57:12b.ISA.057.012 Ndichaparidza kururama kwako; kana ari mabasa ako, haangakubatsiri.
57:13b.ISA.057.013 Kana uchidanidzira, avo vawakaunganidza, ngavakurwire; asi mhepo ichavatora, mweya uchavabvisa vose; asi anovimba neni, nyika ichava yake, achagara nhaka yegomo rangu dzvene.
57:14b.ISA.057.014 Zvichanzi, Tutirai, tutirai, gadzirai nzira, bvisa chigumbuso panzira yavanhu vangu.
57:15b.ISA.057.015 Nokuti zvanzi noAkakwirira Arikumusoro, anogara mukusingaperi, ane zita rinonzi Dzvene, Ndinogara pakakwirira napanzvimbo tsvene, uye noane mweya wakapwanyika anozvininipisa, kuti ndiponesezve mweya woanozvininipisa, ndiponesezve moyo wowakapwanyika.
57:16b.ISA.057.016 Nokuti handingarwi nokusingaperi, handingatsamwi nguva dzose; nokuti mweya ungapera simba pamberi pangu, nemweya yandakasika.
57:17b.ISA.057.017 Nokuti ndakanga ndakatsamwa nokuda kwokuipa kwokuchiva kwake, ndikamurova; ndakavanza chiso changu, ndikatsamwa; akaramba achingotsauka nenzira yakada moyo wake.
57:18b.ISA.057.018 Ndakaona nzira dzake, asi ndichamuporesa, ndichamufambisawo, nokumunyaradzazve iye navanomuchema.
57:19b.ISA.057.019 Ndini ndinosika zvibereko zvemiromo; zvanzi naJehovha, Rugare, rugare kunoari kure nokunoari pedo, ndichamuporesa.
57:20b.ISA.057.020 Asi vakaipa vakafanana negungwa rakabvongodzwa; nokuti harigoni kuzorora, asi mvura yaro inobudisa matope namarara.
57:21b.ISA.057.021 Zvanzi naMwari wangu, Vakaipa havana rugare.
58
58:1b.ISA.058.001 Danidzira kwazvo, usarega, danidzira nenzwi rako sehwamanda, uparidzire vanhu vangu kudarika kwavo, neimba yaJakobho zvivi zvavo.
58:2b.ISA.058.002 Kunyange zvakadaro, vanonditsvaka zuva rimwe nerimwe, vachifarira kuziva nzira dzangu; vanokumbira kwandiri mirayiro yakarurama, sorudzi runoita zvakarurama, rusingasiyi zvakarayirwa naMwari wavo; vanofarira kuswedera kuna Mwari.
58:3b.ISA.058.003 Vanoti, Takazvinyimireiko zvoku dya, imi mukasazviona? Takatambudzireiko mweya yedu, imi mukasazviziva? Taurirai, pazuva rokuzvinyima zvokudya munotsvaka kuzvifadza henyu nokubata mabasa enyu ose.
58:4b.ISA.058.004 Tarirai, munozvinyima zvokudya, kuti murwe nokukakavara, nokurova netsiva yezvakaipa, hamuzvinyimi zvokudya nhasi, kuti inzwi renyu rinzwike kumusoro.
58:5b.ISA.058.005 Ndikoko kuzvinyima zvokudya kwandakasanangura here? Ndiroro zuva munhu raanotambudza mweya wake naro here? Ndiko kukotamisa musoro wake senhokwe, nokuwarira makudza namadota pasi pake here? Izvozvo ungazviti ndiko kuzvinyima zvokudya, nezuva rinodikanwa naJehovha here?
58:6b.ISA.058.006 Ko kuzvinyima zvokudya kwandakasanangura hakuzakadai here, kuti musunungure zvisungo zvezvakaipa, nokubvisa makashu ejoko, kuti akamanikidzwa aende hake, uye kuti muvhune majoko ose here?
58:7b.ISA.058.007 Hakuzi kuti ugovane zvokudya zvako neanenzara, uye kuti udane varombo vakadzingwa vapinde mumba mako kuti kana uchiona munhu wakashama umufukidze, uye kuti urege kuvanda venyama yako here?
58:8b.ISA.058.008 Ipapo chiedza chako chichabuda sechamambakwedza, kuporeswa kwako kuchabukira nokukurumidza, kururama kwako kuchakutungamirira, nokubwinya kwaJehovha kuchakurindira mumashure.
58:9b.ISA.058.009 Ipapo uchadana, Jehovha uchakupindura; achadanidzira iwe, iye achati, Ndiripano. Kana uchibvisa pakati pako joko, nokutendeka nomunwe, nokutaura zvakaipa;
58:10b.ISA.058.010 kana mweya wako ukava nehanya navane nzara, nokugutisa mweya woanotambudzika; ipapo chiedza chako chichabuda murima, kusvibirwa kwako kuchaita samasikati;
58:11b.ISA.058.011 Jehovha achakufambisa nguva dzose, achagutisa mweya wako panzvimbo dzakaoma, nokusimbisa mapfupa ako; uchava somunda wakadiridzwa, uye setsime remvura, risingapwi mvura yaro.
58:12b.ISA.058.012 Vachaberekwa newe vachavakazve matongo akare; uchamutsa nheyo dzamarudzi mazhinji, uye uchatumidzwa, Mugadziri wopakakoromoka, muvandudzi wenzira, kuti vanhu vagone kugarapo.
58:13b.ISA.058.013 Kana uchidzora gumbo rako pazuva reSabata, kuti urege kuita zvaunoda pazuva rangu dzvene, uchiti, Sabata izuva rinofadza, nezuva dzvene raJehovha rinofanira kukudzwa, uchirikudza, usingaiti zvaunoda, kana kutsvaka zvinokufadza, kana kutaura mashoko ako.,
58:14b.ISA.058.014 Ipapo uchafarira Jehovha kwazvo; neni ndichakufambisa panzvimbo dzakakwirira dzenyika ndichakugutisa nenhaka yababa vako Jakobho, nokuti muromo waJehovha wakataura izvozvo.
59
59:1b.ISA.059.001 Tarirai, ruoko rwaJehovha haruna kupfupiswa, kuti rukoniwe kuponesa, nzeve yake haina kuremerwa, kuti ikoniwe kunzwa;
59:2b.ISA.059.002 asi zvakaipa zvenyu zvakakuparadzanisai naMwari wenyu, zvivi zvenyu zvakakuvanzirai chiso chake, kuti arege kunzwa.
59:3b.ISA.059.003 Nokuti maoko enyu akasvibiswa neropa, neminwe yenyu nezvakaipa; miromo yenyu yakareva nhema, rurimi rwenyu runogunununa zvakashata.
59:4b.ISA.059.004 Hakuna munhu anokwirira mumwe nokururama, hakuna anoreverera mumwe nezvokwadi; vanovimba nezvisina maturo, vachireva nhema; vanotora pamuviri pezvakashata, ndokubereka zvakaipa.
59:5b.ISA.059.005 Vanochochonya mazai emvumbi, vanoruka dandira rebuwe; anodya mazai avo achafa, kana richipwanyika rinobudisa nyoka.
59:6b.ISA.059.006 Matandira avo haangaiti nguvo, havangafuki zvavakaita; mabasa avo mabasa ezvakaipa, kuita nesimba ndizvo zviri pamaoko avo.
59:7b.ISA.059.007 Tsoka dzavo dzinomhanyira zvakaipa, vanokurumidza kuteura ropa risina mhaka; ndangariro dzavo indangariro dzezvakaipa; kuparadza nokuputsanya zviri panzira dzavo.
59:8b.ISA.059.008 Nzira yorugare havaizivi; hakuna kururama pakufamba kwavo; vakazviitira nzira dzakaminama, ani naani anofamba nadzo haazivi rugare.
59:9b.ISA.059.009 Naizvozvo kururamisirwa kuri kure nesu, nokururama hakusvikiri kwatiri; tinotsvaka chiedza, asi, tarirai, rima bedzi; tinotsvaka kubwinya, asi tinofamba pakasviba.
59:10b.ISA.059.010 Tinotsvangadzira pamadziro samapofu; zvirokwazvo tinotsvangadzira savasina meso; tinogumburwa masikati sezvatinoita kana kwosviba; pakati pavapenyu takafanana navakafa.
59:11b.ISA.059.011 Tinoomba tose samapere, tinochema zvikuru senjiva; tinotsvaka kururamisirwa; asi hakuna; tinotsvaka ruponeso, asi ruri kure nesu.
59:12b.ISA.059.012 Nokuti kudarika kwedu kwakawanda pamberi penyu, zvivi zvedu zvinotipupurira; nokuti kudarika kwedu kunesu, kana zviri zvakaipa zvedu tinozviziva, zvinoti:
59:13b.ISA.059.013 Kudarikira Jehovha nokumuramba, nokutsauka tisingateveri Mwari wedu, kutaura mashoko okumanikidza nokumukira, kufunga nokutaura mashoko enhema anobva pamoyo.
59:14b.ISA.059.014 Kururamisa kwakadzoswa shure, kururama kumire kure; nokuti chokwadi chakawira pasi panzira yomumusha, kutendeka hakugoni kupinda.
59:15b.ISA.059.015 Zvirokwazvo, chokwadi chinoshaikwa; anotiza zvakaipa anopambwa; Jehovha akazviona, zvikasamufadza kuti kwakanga kusina kururamisa.
59:16b.ISA.059.016 Akaona kuti hakuna munhu, akashamiswa nokuti kwakanga kusina murevereri, naizvozvo ruoko rwake rwakamuvigira ruponeso, kururama kwake kwakamutsigira.
59:17b.ISA.059.017 Akashonga kururama sechidzitiro chechipfuva, nenguwani yoruponeso pamusoro wake, akafuka nguvo dzokutsiva zvikava zvokufuka zvake, akapfekedzwa nokushingaira sejasi.
59:18b.ISA.059.018 Sezvavakaita, achavaripira saizvozvo, kutsamwa kuvadzivisi vake, nokutsiva kuvavengi vake; zvivi uchazviripira mubayiro wokutsiva.
59:19b.ISA.059.019 Naizvozvo vachatya zita raJehovha kubva kumavirazuva, noumambo hwake kubva kumabvazuva; nokuti achauya sorwizi runodira, runotinhwa nomweya waJehovha.
59:20b.ISA.059.020 Zvino Mudzikunuri achasvika paZiyoni, nokuna vanodzoka pakudarika pakati paJakobho, ndizvo zvinotaura Jehovha.
59:21b.ISA.059.021 Zvino kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu navo ndizvo zvinotaura Jehovha, Mweya wangu, uri pamusoro pako, namashoko angu andakaisa mumuromo mako, hazvingabvi mumuromo mako, kana mumiromo yavana vako, kana mumiromo yavana vavana vako, kubva zvino kusvikira nokusingaperi ndizvo zvinotaura Jehovha.
60
60:1b.ISA.060.001 Simuka, uvheneke, nokuti chiedza chako chasvika, kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako.
60:2b.ISA.060.002 Nokuti, tarira, rima richafukidza nyika, nerima guru marudzi avanhu; asi Jehovha achabuda pamusoro pako, kubwinya kwake kuchaonekwa pamusoro pako.
60:3b.ISA.060.003 Marudzi achauya kuchiedza chako, namadzimambo kukubwinya kwakakubudira.
60:4b.ISA.060.004 Ringira kwose-kwose nameso ako, uone, vose vanoungana pamwechete, vachiuya kwauri; vanakomana vako vachauya vachibva kure, vakunda vako vachaberekwa pahudyu.
60:5b.ISA.060.005 Ipapo uchazviona ukapenya nomufaro, moyo wako uchadedera nokufariswa; nokuti zvakawanda zvegungwa zvichaiswa kwauri, fuma yamarudzi avanhu ichauya kwauri.
60:6b.ISA.060.006 Makamera mazhinji-zhinji achakufukidza, nemhuru dzemakamera eMidhiani neEfa; vose veShebha vachauya, vachauya nendarama nezvinonhuwira, vachaparidza kurumbidzwa kwaJehovha.
60:7b.ISA.060.007 Mapoka ose amakwai eKedhari achaunganidzirwa kwauri, makondobwe eNebhayoti achakushumira; zvichaiswa paaritari yangu ndichizvifarira, ndichashongedza imba yokukudzwa kwangu.
60:8b.ISA.060.008 Ndivana aniko ava vanobhururuka segore, senjiva dzinouya kumahwindo ezvirugu zvadzo?
60:9b.ISA.060.009 Zvirokwazvo, zvivi zvichandimirira, nezvikepe zveTarishishi zvichatungamira zvichiuya navanakomana vako vanobva kure, vachiuya nesirivha yavo nendarama yavo kuzviisa kuzita raJehovha Mwari wako, nokunoMutsvene waIsiraeri, nokuti ndiye wakakushongedza.
60:10b.ISA.060.010 Vatorwa vachavaka masvingo ako, madzimambo avo achakushumira; nokuti ndakakurova nokutsamwa kwangu, asi ndakakunzwira nyasha nengoni dzangu.
60:11b.ISA.060.011 Masuo ako achagara akazaruka nguva dzose, haangazarirwi masikati nousiku, kuti vauyise kwauri fuma yamarudzi avanhu namadzimambo avo, akatapwa.
60:12b.ISA.060.012 Nokuti rudzi noushe, zvinoramba kukushumira, zvichaparara; zvirokwazvo marudzi iwayo achaparadzwa chose.
60:13b.ISA.060.013 Zvinobwinya zveRebhanoni zvichauya kwauri, misaipuresi, nemipaini nemifiri pamwechete, kuti ndishongedze nzvimbo yeimba yangu tsvene; uye ndichabwinyisa nzvimbo yetsoka dzangu.
60:14b.ISA.060.014 Vanakomana vavatambudzi vako vachauya kwauri vachikotama; vose vaikuzvidza vachazvikotamisa pasi-pasi petsoka dzako; vachakutumidza zita rokuti, Guta raJehovha, Ziyoni roMutsvene waIsiraeri.
60:15b.ISA.060.015 Wakanga wakasiyiwa nokuvengwa, kusisina munhu aipfuura nomukati mako, asi zvino ndichakuita chinhu chinorumbidzwa nokusingaperi, chinofarirwa kusvikira kumarudzi mazhinji.
60:16b.ISA.060.016 Uchamwawo mukaka wamarudzi, uchamwa mazamu amadzimambo; ipapo uchaziva kuti ini Jehovha ndini moponesi wako, noMudzikunuri wako, waMasimbaose waJakobho.
60:17b.ISA.060.017 Panzvimbo yendarira ndichauya nendarama, panzvimbo yedare ndichauya nesirivha, panzvimbo yamatanda safuri, napanzvimbo yamabwe dare. Rugare ndicharugadza ruve madzishe ako, noKururama kuve vabati vako.
60:18b.ISA.060.018 Zvinoitwa nesimba hazvichazonzwiki panyika pamiganho yako; asi uchatumidza masvingo ako zita rokuti, Ruponeso, namasuo ako Rumbidzo.
60:19b.ISA.060.019 Zuva harichazovi chiedza chako masikati, mwedzi haungazokuvhenekeri nokupenya kwawo; asi Jehovha achava kwauri chiedza chisingaperi, naMwari wako kunaka kwako.
60:20b.ISA.060.020 Zuva rako harichazoviri, mwedzi wako haungatapudziki; nokuti Jehovha achava chiedza chako chisingaperi, mazuva okuchema kwako achaguma.
60:21b.ISA.060.021 Vanhu vako vose vachava vakarurama, vachagara nhaka yenyika nokusingaperi, vachava davi randakasima, nebasa ramaoko angu, kuti ndikudzwe.
60:22b.ISA.060.022 Muduku achava chiuru, akadukupa achava rudzi rune simba; ini Jehovha ndichakurumidza kuzviita nenguva yazvo.
61
61:1b.ISA.061.001 Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu; nokuti Jehovha akandizodza kuti ndiparidzire vanyoro mashoko akanaka; akandituma kuti ndirape vanemoyo yakaputsika, kuti ndiparidzire vakatapwa kusunungurwa, nokuna vakasungwa kuti vachazarurirwa;
61:2b.ISA.061.002 kuti ndiparidzire gore rengoni dzaJehovha, nezuva rokutsiva raMwari wedu; kuti ndinyaradze vose vanochema;
61:3b.ISA.061.003 kuti ndigadzire vanochema paZiyoni vapiwe korona panzvimbo yamadota, mafuta omufaro panzvimbo yokuchema, nenguvo yokurumbidza panzvimbo yomweya waziya; kuti vanzi miti yokururama, chakasimwa chaJehovha, kuti iye akudzwe.
61:4b.ISA.061.004 Ipapo vachavaka matongo akare, vachamutsazve nzvimbo dzakaparadzwa dzokutanga, vachagadzira maguta akanga aitwa matongo, nezvose zvakaparadzwa zvamarudzi namarudzi.
61:5b.ISA.061.005 Vatorwa vachamira vachifudza mapoka enyu amakwai, navaeni vachava varimi venyu navagadziri vemizambiringa yenyu.
61:6b.ISA.061.006 Asi imi muchanzi vapirisiti vaJehovha vanhu vachakutumidzai vashumiri vaMwari wedu; muchadya fuma yamarudzi avanhu, muchazvirumbidza nokukudzwa kwawo.
61:7b.ISA.061.007 Panzvimbo yokunyadziswa kwenyu, muchapiwa migove miviri; panzvimbo yokushorwa vachafarira mugove wavo; naizvozvo panyika yavo vachava nemigove miviri, vachava nomufaro usingaperi.
61:8b.ISA.061.008 Nokuti ini Jehovha ndinoda zvakarurama, ndinovenga kupamba pamwechete nezvakaipa; ndichavaripira zvirokwazvo, uye ndichaita sungano isingaperi navo.
61:9b.ISA.061.009 Vana vavo vachazikanwa pakati pamarudzi, nezvibereko zvavo pakati pavanhu; vose vanovaona vachavaziva, kuti ndirwo rudzi rwakaropafadzwa naJehovha.
61:10b.ISA.061.010 Ndichafarira Jehovha kwazvo, mweya wangu uchava nomufaro munaMwari wangu; nokuti akandifukidza nguvo dzoruponeso, akandipfekedza chokufuka chokururama, somuwani anoshonga korona, uye somwenga unozvishongedza noukomba hwake.
61:11b.ISA.061.011 Nokuti nyika sezvainobudisa miti yayo, nomunda sezvaunomeresa zvakadzvarwamo, saizvozvo Ishe Jehovha achameresa kururama nokurumbidzwa pamberi pamarudzi ose.
62
62:1b.ISA.062.001 Nokuda kweZiyoni handingarambi ndinyerere, nokuda kweJerusaremu handingazorori, kusvikira kururama kwaro kuchibuda sechiedza, nokuponeswa kwaro somwenje unopfuta.
62:2b.ISA.062.002 Marudzi avanhu achaona kururama kwako, namadzimambo ose kurumbidzwa kwako; uchatumidzwa zita idzva, richarehwa nomuromo waJehovha.
62:3b.ISA.062.003 Iwe uchavawo korona yakanaka muruoko rwaJehovha, noukomba hwoumambo muruoko rwaMwari wako.
62:4b.ISA.062.004 Hauchazonzi, Musiyiwa; nenyika yako haichazonzi dongo; asi iwe uchatumidzwa zita rinonzi Hefizibha, nenyika yako Bheura; nokuti Jehovha anokufarira, nenyika yako ichawanikwa.
62:5b.ISA.062.005 Nokuti jaya sezvarinowana mhandara, saizvozvo vanakomana vako vachakuwana; uye muwani sezvaanofarira mukadzi wake, saizvozvo Mwari wako achakufarira.
62:6b.ISA.062.006 Ndakagadza nharire pamusoro pamasvingo ako, iwe Jerusaremu; havangatongonyarari masikati nousiku; imi vayeudziri vaJehovha, regai kunyarara,
62:7b.ISA.062.007 uye musamutendera kuzorora, kusvikira asimbisa izvozvo, kusvikira aita Jerusaremu guta rinorumbidzwa panyika.
62:8b.ISA.062.008 Jehovha akapika noruoko rwake rworudyi, uye noruoko rwake rune simba, achiti, Zvirokwazvo handichazopi vavengi vako zviyo zvako, zvive zvokudya zvavo, navatorwa havachazonwi waini yako itsva, yawakatamburira;
62:9b.ISA.062.009 asi vakazvikohwa ndivo vachazvidya, vachirumbidza Jehovha; vakaiunganidza ndivo vachainwa pamavanze eimba yangu tsvene.
62:10b.ISA.062.010 Pindai, pindai napamusuo, gadzirai nzira yavanhu; gadzirai, gadzirai mugwagwa, bvisai mabwe, simudzirai vanhu mureza.
62:11b.ISA.062.011 Tarirai, Jehovha akaparidza shoko kusvikira kumugumo wenyika, achiti, Udzai mukunda waZiyoni, muti, Tarira, ruponeso rwako runouya; tarira, mubayiro wake anawo, zvaanoripira zviri pamberi pake.
62:12b.ISA.062.012 Vachavatumidza zita rinonzi Vanhu vatsvene, Vakadzikunurwa naJehovha; newe uchatumidzwa zita rinonzi, Mutsvakwa, Guta risina kusiyiwa.
63
63:1b.ISA.063.001 Ndianiko uyu anobva Edhomu, anobva Bhozira ane nguvo dzakatsvuka kwazvo? Ndiani uyo akafuka zvinobwinya, anofamba noukuru hwesimba rake? Ndini ndinotaura nokururama, ndine simba rokuponesa.
63:2b.ISA.063.002 Ko nguvo yenyu yakatsvuka nei? Zvokufuka zvenyu zvakafanana nezvomunhu anotsika muchisviniro chewaini neiko?
63:3b.ISA.063.003 Ini ndakatsika chisviniro chewaini ndoga; kwakanga kusina munhu wamarudzi avanhu aiva neni; zvirokwazvo, ndakavatsika pakutsamwa kwangu, ndakavapwanya pahasha dzangu; ropa ravo rikatsatikira panguvo dzangu, ndikasvibisa zvokufuka zvangu zvose.
63:4b.ISA.063.004 Nokuti ndakafunga zuva rokutsiva mumoyo mangu; gore ravakadzikunurwa vangu rasvika.
63:5b.ISA.063.005 Ndikatarira, ndikashayiwa anobatsira, ndikashamiswa nokuti kwakanga kusina anotsigira; naizvozvo ruoko rwangu rwakandivigira ruponeso, kutsamwa kwangu ndiko kwakanditsigira.
63:6b.ISA.063.006 Ndikatsika-tsika marudzi avanhu pakutsamwa kwangu, ndikavapengesa nedoro rokutsamwa kwangu, ndikadurura ropa rohupenyu hwavo pasi. Vanhu vaJehovha vanokumbira kuti vanzwirwe nyasha
63:7b.ISA.063.007 Ndicharumbidza hunyoro hwaJehovha namabasa aJehovha anofanira kurumbidzwa, nokuda kwezvose zvatakaitirwa naJehovha nezvakanaka zvizhinji kuimba yaIsiraeri, zvaakavaitira nokuda kwenyasha dzake, uye nokuda kwohunyoro hwake.
63:8b.ISA.063.008 Nokuti akati, Zvirokwazvo, ndivo vanhu vangu, vana vasingazoiti nokunyengera; naizvozvo akava Muponesi wavo.
63:9b.ISA.063.009 Pakutambudzika kwavo kwose naiyewo akanga achitambudzika, mutumwa, wakavazivisa chiso chake, akavaponesa; akavadzikunura norudo rwake netsitsi dzake, akavasimudza nokuvatakura mazuva ose akare.
63:10b.ISA.063.010 Asi vakamumukira, nokuchemedza Mweya wake mutsvene; naizvozvo akashanduka, akava muvengi wavo, akarwa navo amene.
63:11b.ISA.063.011 Ipapo vanhu vake vakarangarira mazuva akare, Mosesi navanhu vake, vakati, Aripiko iye akaisa Mweya wake mutsvene pakati pavo?
63:12b.ISA.063.012 Aripiko iye akafambisa ruoko rwake runokudzwa parutivi rwaMosesi, akaparadzanisa mvura zhinji pamberi pavo kuti azviwanire mukurumbira usingaperi?
63:13b.ISA.063.013 Aripiko iye akavafambisa napakadzika, sebhiza murenje, vakasagumburwa?
63:14b.ISA.063.014 Mweya waJehovha wakavazorodza, semombe dzinoburukira kumupata; saizvozvo makafambisa vanhu venyu, kuti muzviwanire mukurumbira mukuru-kuru.
63:15b.ISA.063.015 Tarirai pasi muri kudenga, muone muri pahugaro hwenyu hutsvene hunobwinya, kushingaira kwenyu namabasa enyu ane simba aripiko? Kushuva kwomoyo wenyu netsitsi dzenyu zvadzorwa kwandiri.
63:16b.ISA.063.016 Nokuti muri baba vedu, kunyange Abhurahamu asingatizivi, naIsiraeri asingatiziururi; imi Jehovha muri baba vedu, Mudzikunuri wedu kubva kare nakare, ndiro zita renyu.
63:17b.ISA.063.017 Haiwa, Jehovha, munotirega neiko tichitsauka panzira dzenyu, nokuomesa moyo yedu kuti tirege kukutyai? Dzokai nokuda kwavaranda venyu, iwo marudzi enhaka yenyu.
63:18b.ISA.063.018 Vanhu venyu vatsvene vakanga vanayo nguva duku hayo; vadzivisi vedu vakatsika pasi imba yenyu tsvene.
63:19b.ISA.063.019 Isu tafanana navasina kutongobatwa nemi, navasina kutumidzwa nezita renyu.
64
64:1b.ISA.064.001 Haiwa, dai maibvarura denga, mukaburuka, makomo akadedera pamberi penyu,
64:2b.ISA.064.002 sezvinoita moto kana uchipisa utsotso, nomoto kana uchivirisa mvura, kuti muzivise vadzivisi venyu zita renyu, kuti marudzi adedere pamberi penyu!
64:3b.ISA.064.003 Panguva yamakaita zvinhu zvinotyisa, zvatakanga tisina kutarira, mukaburuka, makomo akadedera pamberi penyu.
64:4b.ISA.064.004 Nokuti kubva panguva yakare vanhu havana kunzwa, kana kunzwisisa nenzeve, kunyange neziso harina kuona Mwari kunze kwenyu, iye anobatira vanomumirira.
64:5b.ISA.064.005 Munosangana noanofarira kuita zvakarurama, ivo vanokurangarirai panzira dzenyu; tarirai, makanga makatsamwa, nesu takatadza; takanga takadaro nguva refu, zvino tingaponeswa here?
64:6b.ISA.064.006 Nokuti isu tose tava soune tsvina, kururama kwedu kwose kwafanana nenguvo ine tsvina; isu tose tinooma seshizha, zvakaipa zvedu zvinotibvisa semhepo.
64:7b.ISA.064.007 Hakuna anodana zita renyu, anozvimutsa kuti akunamatireyi; nokuti makativanzira chiso chenyu, mukatinyungurusa nezvakaipa zvedu.
64:8b.ISA.064.008 Asi zvino Jehovha, muri baba vedu; isu tiri ivhu, imi muri muumbi wedu, isu tose tiri basa roruoko rwenyu.
64:9b.ISA.064.009 Regai kutsamwa zvikuru, Jehovha, uye regai kurangarira zvakaipa zvedu nokusingaperi; tarirai, doonai, tiri vanhu venyu.
64:10b.ISA.064.010 Maguta enyu matsvene ashanduka renje, Ziyoni rashanduka renje, Jerusaremu rava dongo.
64:11b.ISA.064.011 Imba yedu tsvene, yakanakisa, pamakarumbidzwa namadzibaba edu, yatsva nomoto; nzvimbo dzedu dzose, dzataifarira, dzaparadzwa.
64:12b.ISA.064.012 Jehovha, mungazvidzora nokuda kwezvinhu izvi here? Mucharamba munyerere, muchititambudza zvikuru here?
65
65:1b.ISA.065.001 Ndakatendera kuti nditsvakwe navasina kundibvunza, ndakatendera kuti ndiwanikwe navasina kunditsvaka; ndakati kurudzi rwakanga rusingatumidzwi nezita rangu, Tarirai ndini, tarirai ndini.
65:2b.ISA.065.002 Ndakatambanudzira maoko angu zuva rose kurudzi rwavanhu rwakandimukira, vanofamba nenzira isakanaka, vachitevera ndangariro dzavo;
65:3b.ISA.065.003 vanhu vanogara vachinditambudza pachena, vanobayira zvibayiro paminda, vachipisa zvinonhuwira pamusoro pezvitinha;
65:4b.ISA.065.004 vanogara pakati pamabwiro, vachivata panzvimbo dzakavandika; vanodya nyama yenguruve, uye muto wezvinhu zvinonyangadza uri mumidziyo yavo;
65:5b.ISA.065.005 vanoti, Mira woga, usaswedera kwandiri, nokuti ndiri mutsvene kupfuura iwe. Ava utsi mumhino dzangu, moto unopfuta zuva rose.
65:6b.ISA.065.006 Tarirai zvakanyorwa pamberi pangu, Handinganyarari, asi ndicharitsiva, zvirokwazvo ndicharitsiva nokutsiva kuzere,
65:7b.ISA.065.007 zvakaipa zvenyu, nezvakaipa zvamadzibaba enyu pamwechete, vakapisa zvinonhuwira pamusoro pezvikomo; naizvozvo ndichatanga kuvayerera mabasa avo nokuyera kuzere ndizvo zvinotaura Jehovha.
65:8b.ISA.065.008 Zvanzi naJehovha, Zvakafanana nomunhu kana achiwana waini itsva musumbu remizambiringa, mumwe akati, Usariparadza, nokuti mukomborero urimo; ndizvo zvandichaita nokuda kwavaranda vangu, kuti ndirege kuvaparadza vose.
65:9b.ISA.065.009 Ndichabudisa rudzi kuna Jakobho, nomudyi wenhaka yamakomo angu kuna Judha; vasanangurwa vangu vachagara nhaka, navaranda vangu vachagarapo.
65:10b.ISA.065.010 Bani reSharo richava mafuro amakwai, nomupata weAkori nzvimbo pangavata mombe pasi, zvichava zvavanhu vangu vakanditsvaka.
65:11b.ISA.065.011 Asi imi munosiya Jehovha, nokukanganwa gomo rangu dzvene, imi munogadzirira Gadhi tafura, nokudirira Meni waini yakavhenganiswa.
65:12b.ISA.065.012 Ndichakutemerai muurawe nomunondo, imi mose muchakotamira pakubayiwa; nokuti panguva yandakadana, hamuna kupindura; panguva yandakataura, hamuna kunzwa; asi makaita zvakaipa pamberi pangu, mukasanangura zvandakanga ndisingafariri.
65:13b.ISA.065.013 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, varanda vangu vachadya, asi imi muchava nenzara; tarirai, varanda vangu vachanwa, asi imi muchava nenyota; tarirai, varanda vangu vachafara, asi imi muchanyadziswa;
65:14b.ISA.065.014 tarirai, varanda vangu vachaimba nokufara kwomoyo, asi imi muchachema nokurwadziwa kwomoyo, muchaungudza nokuputsika kwomweya.
65:15b.ISA.065.015 Imi muchasiyira vasanangurwa vangu zita renyu, rive rokutuka naro; Ishe Jehovha achakuuraya, ndokutumidza varanda vake rimwe zita;
65:16b.ISA.065.016 kuti ani naani anozviti ndakaropafadzwa panyika, achati ndakaropafadzwa naMwari wachokwadi; nokuti matambudziko okutanga akakanganikwa, nokuti avanzirwa meso angu.
65:17b.ISA.065.017 Nokuti tarirai, ndinosika denga idzva nenyika itsva; zvinhu zvakare hazvingarangarirwi, kana kufungwa nomoyo.
65:18b.ISA.065.018 Asi imi farai mufarisise nokusingaperi pamusoro pezvandinosika; nokuti tarirai, ndinosika Jerusaremu rive guta romufaro, navanhu varo vave nomufaro.
65:19b.ISA.065.019 Ndichafarira Jerusaremu, nokuva nomufaro pamusoro pavanhu vangu; mukati maro hamuchazonzwikwi inzwi rokuchema, kana inzwi rokuridza mhere.
65:20b.ISA.065.020 Hapangazovipo rushiye runamazuva mashoma, kana mutana asina kusvitsa mazuva ake; nokuti mwana achafa apedza makore ane zana, nomutadzi acharohwa nokutukwa kana asvika makore ane zana.
65:21b.ISA.065.021 Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo.
65:22b.ISA.065.022 Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya; nokuti samazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vasanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo.
65:23b.ISA.065.023 Havangabatiri zvisina maturo, kana kubereka vana vachakurumidza kuparadzwa; nokuti ndivo vana vavakaropafadzwa naJehovha, zvibereko zvavo zvichagara navo.
65:24b.ISA.065.024 Zvino ndichapindura vasati vadana, ndichanzwa vachitaura.
65:25b.ISA.065.025 Bere negwayana zvichafura pamwechete, shumba ichadya uswa senzombe, uye guruva richava zvokudya zvenyoka. Havangakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene ndizvo zvinotaura Jehovha.
66
66:1b.ISA.066.001 Zvanzi naJehovha, Kudenga ndicho chigaro changu choushe, nyika ndicho chitsiko chetsoka dzangu; mungandivakira imba yakadiniko? Ndeipiko nzvimbo pandingazorora?
66:2b.ISA.066.002 Nokuti zvinhu izvi zvose zvakaitwa noruoko rwangu, izvi zvinhu zvose zvakaitwa kudaro ndizvo zvinotaura Jehovha; asi ndicharangarira munhu uyu, iye murombo anomweya wakaputsika, anodedera neshoko rangu.
66:3b.ISA.066.003 Anouraya nzombe wakaita soanouraya munhu, anobayira gwayana soanovhuna mutsipa wembwa, anouya nechipiriso choupfu soanouya neropa renguruve, anopisira zvinonhuwira soanotenda chifananidzo. Zvirokwazvo, vakazvisanangurira nzira dzavo, mweya wavo unofarira zvinonyangadza zvavo.
66:4b.ISA.066.004 Neniwo ndichasanangura zvinovadadira, ndichawisira pamusoro pavo izvo zvavanotya; nokuti panguva yandakadana, hakuna akapindura, panguva yandakataura, havana kunzwa, asi vakaita zvakaipa pamberi pangu, vakasanangura zvakanga zvisingandifadzi.
66:5b.ISA.066.005 Inzwai shoko raJehovha, imi munodedera neshoko rake, Hama dzenyu, dzinokuvengai, dzakakudzingai nokuda kwezita rangu, dzakati, Jehovha ngaaratidze umambo hwake, kuti tione mufaro wenyu; asi ndidzo dzichanyadziswa.
66:6b.ISA.066.006 Inzwai mheremhere iri muguta, mheremhere inobva kutemberi, inzwi raJehovha rinotsiva vavengi vake.
66:7b.ISA.066.007 Akapona asati arwadziwa, akabereka mwanakomana kurwadziwa kwake kusati kwasvika.
66:8b.ISA.066.008 Ndianiko akambonzwa chinhu chakadai? Ndiani akamboona zvinhu zvakadai? Nyika ingaberekwe nezuva rimwe here? Rudzi rwavanhu rungazvarwe pakarepo? Nokuti Ziyoni rakangoti kurwadziwa, ndokubereka vana varo.
66:9b.ISA.066.009 Zvanzi naJehovha, Ndingasvitsa pakubereka, ndikasaberekesa here? Ini, ndinoberekesa, ndingazarira chizvaro here? Ndizvo zvinotaura Mwari wako.
66:10b.ISA.066.010 Farai pamwechete neJerusaremu, mufare pamusoro paro, imi mose munorida, farai nomufaro mukuru naro, imi mose munorichema;
66:11b.ISA.066.011 kuti munwe, mugute namazamu okunyaradzwa kwaro; kuti muyamwe, mufadzwe nokuwanda kwembiri yaro.
66:12b.ISA.066.012 Nokuti zvanzi naJehovha, Tarirai, ndicharitambanudzira rugare rwakaita sorwizi, nefuma yamarudzi avanhu sorwizi runofema kunze; imi muchayamwa, muchaberekwa pahudyu, muchavaraidzwa pamabvi.
66:13b.ISA.066.013 Somunhu anovaraidzwa namai vake, saizvozvo ndichakuvaraidzai; muchavaraidzwa paJerusaremu.
66:14b.ISA.066.014 Muchazviona, moyo wenyu uchafara, namapfupa enyu achamera sebumhudza; ruoko rwaJehovha ruchazikanwa kuna varanda vake, asi achava nehasha navavengi vake
66:15b.ISA.066.015 Nokuti tarirai, Jehovha achauya nomoto, ngoro dzake dzichafanana nechamupupuri; kuti aratidze kutsamwa kwake noukasha, nokutuka kwake nemirazvo yomoto.
66:16b.ISA.066.016 Nokuti Jehovha achatonga vanhu vose nomoto uye nomunondo wake; vakaurawa naJehovha vachava vazhinji.
66:17b.ISA.066.017 Vanozviita vatsvene navanozvinatsa kuti vaende kuminda, vachitevera mumwe uri pakati, vachidya nyama yenguruve, nechinonyangadza, nembeva, ivavo vachapera vose ndizvo zvinotaura Jehovha.
66:18b.ISA.066.018 Nokuti ndinoziva mabasa avo nendangariro dzavo; nguva inosvika yandichaunganidza marudzi ose namarimi ose, vachauya vachiona kubwinya kwangu.
66:19b.ISA.066.019 Ndichaisa chiratidzo pakati pavo, vanopukunyuka kwavari ndichavatumira kuna mamwe marudzi, kuna veTarishishi, nePuri, neRudhi, vanopfura nouta, kuna veTubhari neJavhani, kuzvivi zviri kure, zvisina kumbonzwa mbiri yangu, kana kuona kubwinya kwangu pakati pamarudzi.
66:20b.ISA.066.020 Vachauyisa hama dzenyu dzose dzichibva kumarudzi ose, chive chipo kuna Jehovha, vakatasva mabhiza, vari mungoro, nomungoro dzinamatenga, vakatasva mahesera, namakamera, vachiuya kugomo rangu dzvene Jerusaremu, sezvinoitwa navana valsiraeri kana vachiuya nezvipo zvavo mumudziyo wakanaka mumba maJehovha ndizvo zvinotaura Jehovha.
66:21b.ISA.066.021 Ndichatorawo vamwe vavo vave vapirisiti navaRevhi ndizvo zvinotaura Jehovha.
66:22b.ISA.066.022 Nokuti denga idzva nenyika itsva, zvandichaita sezvichagara zviripo pamberi pangu, saizvozvo rudzi rwako nezita rako zvichagara zviripo ndizvo zvinotaura Jehovha.
66:23b.ISA.066.023 Zvino panguva iyo vanhu vose vachauya kuzonamata pamberi pangu, pakugara kwomwedzi mumwe nomumwe, napaSabata imwe neimwe ndizvo zvinotaura Jehovha.
66:24b.ISA.066.024 Vachabudapo vachindotarira zvitunha zvavanhu vakandidarikira; nokuti honye yavo haingafi, uye moto wavo haungadzimwi; vachava chinhu chinosemesa nyama yose.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Isaiah (Shona). Isaiah (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C599-D