Song of Solomon (Shona)
1
1:1b.SON.001.001 Rwiyo rukuru rwaSoromoni.
1:2b.SON.001.002 Ngaanditsvode nokutsvoda kwomuromo wake; Nokuti rudo rwako rwakanaka kupfuura waini.
1:3b.SON.001.003 Zvizoro zvako zvinonhuwira zvakanaka; Zita rako rakaita samafuta akadururwa; Saka mhandara dzinokuda.
1:4b.SON.001.004 Ndikwevere kwauri; tichakutevera tichimhanya; Mambo wakandiisa mudzimba dzake dzomukati; Tichafara nokukufarira zvikuru iwe; Ticharumbidza rudo rwako kupfuura waini; Zvakarurama zvavakakuda.
1:5b.SON.001.005 Ndakasviba, asi ndakanaka hangu, Imi vakunda veJerusaremu, Samatende eKedhari, Semicheka yakaremberedzwa yaSoromoni.
1:6b.SON.001.006 Musanditarira, zvandakasviba, Nokuti zuva rakandipisa. Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira, Vakandiita murindi weminda yemizambiringa; Asi munda wangu wemizambiringa handina kuuchengeta.
1:7b.SON.001.007 Ndiudze iwe, unodikanwa nomweya wangu, Kuti unofudza boka rako kupi, Kuti unorizorodza kupi masikati; Nokuti ndichaitirei somunhu akafukidzwa kumeso Pakati pamapoka eshamwari dzako?
1:8b.SON.001.008 Kana usingazivi, iwe unopfuura vakadzi vose nokunaka, Tevera makwara amapoka, Ufudze makwayana ako kurutivi rwamatende avafudzi.
1:9b.SON.001.009 Ndakakufananidzira iwe, shamwari yangu, Nebhiza pangoro dzaFarao.
1:10b.SON.001.010 Matama ako akanaka pakati pezvirukwa zvevhudzi; Mutsipa wako nezvibwe zvinokosha zvakatungirwa.
1:11b.SON.001.011 Tichakuitira zvirukwa zvendarama Nezvuma zvesirivha.
1:12b.SON.001.012 Nguva yose mambo agere patafura yake, Nadho yangu yakabudisa kunhuwira kwayo.
1:13b.SON.001.013 Mudiwa wangu akaita kwandiri sehombodo yemura, Inogara pakati pamazamu angu.
1:14b.SON.001.014 Mudiwa wangu akaita kwandiri sesumbu ramaruva ehena, Paminda yemizambiringa paEngedhi.
1:15b.SON.001.015 Tarira, wakanaka, shamwari yangu; Tarira, wakanaka; Meso ako akafanana neenjiva.
1:16b.SON.001.016 Tarira, wakanaka, mudiwa wangu, zvirokwazvo, unofadza; Uvato hwedu ndipo pabumhudza.
1:17b.SON.001.017 Matanda eimba yedu ndeemisidhari; Mbariro dzayo ndedzemisiperesi.
2
2:1b.SON.002.001 Ndiri ruva rebundo rokuSharoni, Ndiri ruva rokumapani.
2:2b.SON.002.002 Seruva pakati peminzwa, Ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pavakunda.
2:3b.SON.002.003 Somuapuri pakati pemiti yokudondo, Ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pavanakomana. Ndakagara mumumvuri wake nomufaro mukuru; Zvibereko zvake zvakanga zvichinaka pamukanwa wangu.
2:4b.SON.002.004 Akandiisa kuimba yomutambo; Mureza wake pamusoro pangu rwakanga ruri rudo.
2:5b.SON.002.005 Nditsigirei namazambiringa akaomeswa, ndisimbisei namaapuri; Nokuti ndinorwara norudo.
2:6b.SON.002.006 Ruoko rwake rworuboshwe ruri pasi pomusoro wangu; Ruoko rwake rworudyi runondimbundikira.
2:7b.SON.002.007 Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu, Nemharapara nenondo dzokubundo, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo, Kusvikira irwo rwada rumene.
2:8b.SON.002.008 Inzwai inzwi romudiwa wangu! Tarirai, wouya, Achikwakuka pamakomo, Achichirika pazvikomo.
2:9b.SON.002.009 Mudiwa wangu akafanana nemharapara kana nomwana wenondo; Tarirai, womira seri kworusvingo rwedu; Anotarira napamahwindo; Anodongorera napazvitanda zvamahwindo.
2:10b.SON.002.010 Mudiwa wangu akataura, akati kwandiri, Simuka, shamwari yangu, akanaka wangu, huya!
2:11b.SON.002.011 Nokuti, tarira, chando chaenda; Mvura yapera, yaenda;
2:12b.SON.002.012 Maruva aonekwa panyika; Nguva yokurira kweshiri yasvika, Nenzwi renjiva rinonzwikwa panyika yedu.
2:13b.SON.002.013 Muonde woibvisa maonde awo mambishi, Uye mizambiringa yotunga maruva; Yobudisa kunhuwira kwayo; Simuka, shamwari yangu, wakanaka wangu huya!
2:14b.SON.002.014 Iwe njiva yangu, uri mumikaha yedombo, Pakadzitika pamawere; Ndione chiso chako, Ndinzwe inzwi rako; Nokuti inzwi rako rakanaka, chiso chako chakanaka.
2:15b.SON.002.015 Tibatirei makava, makava maduku, Anotadzira minda yemizambiringa; Nokuti minda yedu yemizambiringa yotunga maruva.
2:16b.SON.002.016 Mudiwa wangu ndowangu, neni ndiri wake; Anofudza makwai ake pakati pamaruva ebundo.
2:17b.SON.002.017 Kana zuva rotonhorera, nemimvuri yotiza, Tendeuka, mudiwa wangu, uve semharapara nomwana wenondo Pamusoro pamakomo eBheteri.
3
3:1b.SON.003.001 Usiku, ndiri panhovo dzangu, Ndakamutsvaka anodikanwa nomweya wangu; Ndakamutsvaka, asi handina kumuwana.
3:2b.SON.003.002 Ndikati, ndichasimuka zvino, ndifambe-fambe neguta; Panzira dzomumusha, napamatare Ndipo pandichatsvaka anodikanwa nomweya wangu; Ndikamutsvaka, asi handina kumuwana.
3:3b.SON.003.003 Varindi, vanofamba-famba neguta, vakandiwana; Ndikati kwavari, Matongoona anodikanwa nomweya wangu here?
3:4b.SON.003.004 Ndakati ndangobva kwavari, ndakapfuura zvishoma, Ndikamuwana iye anodikanwa nomweya wangu; Ndikamubata, ndikaramba kumuregedza, Kusvikira ndamuisa mumba mamai vangu, Muimba yomukati yaiye wakandibereka.
3:5b.SON.003.005 Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu, Nemharapara nenondo dzokubundo, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo, Kusvikira irwo rwada rumene. Kuuya kwechikomba
3:6b.SON.003.006 Ndianiko uyo anokwira achibva kurenje seshongwe dzohutsi, Anonhuwira nemura nezvinonhuwira, Nezvakakuyiwa zvose zvomutengesi?
3:7b.SON.003.007 Tarirai, ndicho chigaro chaSoromoni chinotakurwa; Mhare dzina makumi matanhatu dzakachikomberedza, Vanobva pamhare dzavaIsiraeri.
3:8b.SON.003.008 Vose vanoziva kubata munondo, vakadzidza kurwa; Murume mumwe nomumwe anomunondo wake pahudyu yake, Nokuda kwezvinotyisa usiku.
3:9b.SON.003.009 Mambo Soromoni akazviitira chigaro chinotakurwa chamatanda eRebhanoni.
3:10b.SON.003.010 Akaita mbiru dzacho nesirivha, Musana wacho nendarama, pokugara kwacho nomucheka mutsvuku, . Mukati macho makarongwa norudo Rwavakunda veJerusaremu.
3:11b.SON.003.011 Budai, imi vakunda veZiyoni, muone mambo Soromoni, Ane korona yaakadzikwa namai vake Pazuva rokuwana kwake, Napazuva romufaro womoyo wake.
4
4:1b.SON.004.001 Tarira, akanaka sei, shamwari yangu; tarira, akanaka sei! Meso ako akafanana neenjiva pakutarira kwawo pakati pechifukidzo chako; Vhudzi rako rakafanana neboka rembudzi, Dzinoburukira mujinga megomo reGiriyadhi.
4:2b.SON.004.002 Meno ako akafanana neboka ramakwai achangoveurwa, Anobva pakushambwa; Rimwe nerimwe rawo rina vana vaviri, Hakuna rimwe risina mwana.
4:3b.SON.004.003 Miromo yako yakafanana norwonzi rwakatsvuka; Kutaura kwako kwakanaka; Zvavovo zvako zvakafanana nebhande redamba Pakutarira kwako pakati pechifukidzo chako.
4:4b.SON.004.004 Mutsipa wako wakafanana nenhare yaDhavhidhi. Yakavakirwa nhumbi dzokurwa, Makaturikwa nhovo dzine churu chezana, Dzose dziri nhovo dzemhare.
4:5b.SON.004.005 Mazamu ako maviri akafanana navana vemharapara, Vari vana vakaberekwa vari vaviri, Vanochera pakati pamaruva ebundo.
4:6b.SON.004.006 Kana zuva rotonhorera, mimvuri yotiza, Ndichaenda kugomo remura, Nokuchikomba chezvinonhuwira.
4:7b.SON.004.007 Akaisvonaka, iwe shamwari yangu; Hakuna gwapa kwauri.
4:8b.SON.004.008 Hendei tose, iwe mwenga wangu, tibve paRebhauni, Tibve paRebhanoni tose; Tarira uri pamusoro weAmana, Pamisoro yeSeniri neHerimoni, Panzvimbo dzeshumba, Pamakomo engwe.
4:9b.SON.004.009 Wanditorera moyo wangu, hanzvadzi yangu, mwenga wangu; Wanditorera moyo wangu nokunditarira kamwe nameso ako, Nechishongo chimwe chomutsipa wako.
4:10b.SON.004.010 Rudo rwako rwakanaka sei, hanzvadzi yangu, mwenga wangu! Rudo rwako runopfuura waini zvikuru sei! Nokunhuwira kwezvizoro zvako miti yose inonhuwira!
4:11b.SON.004.011 Miromo yako, mwenga wangu, inodonha musvi wouchi; Uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako; Kunhuwira kwenguvo dzako kwakafanana nokunhuwira kweRebhanoni.
4:12b.SON.004.012 Hanzvadzi yangu, mwenga wangu, munda wakakomberedzwa, Chitubu chakapoteredzwa, tsime rakafunhirwa.
4:13b.SON.004.013 Matavi ako munda wamatamba, une zvibereko zvakaisvonaka; Maruva ehena nenaridho,
4:14b.SON.004.014 Naridho nesafironi, Karamusi nekinamoni, nemiti yose inonhuwira, Mura negavakava, nezvose zvinoisvonhuwira.
4:15b.SON.004.015 Uri tsime reminda, Chitubu chemvura mhenyu, Nenzizi dzinoyerera dzichibva Rebhanoni. Kupindura kwomwenga
4:16b.SON.004.016 Muka, iwe mhepo yokumusoro; uya, iwe mhepo yezasi; Furidzira pamunda wangu, kuti zvinonhuwira zvawo zvibudire kunze. Mudiwa wangu ngaapinde mumunda make, Ngaadye zvibereko zvake zvakaisvonaka.
5
5:1b.SON.005.001 Ndapinda mumunda mangu, hanzvadzi yangu, mwenga wangu; Ndaunganidza mura yangu nezvinonhuwira zvangu; Ndadya musvi wouchi hwangu nouchi hwangu; Ndanwa waini yangu nomukaka wangu. Idyai, shamwari dzangu; Inwai, zvirokwazvo, inwai zvikuru, vadiwa vangu. Vaparadzana chinguva, mwenga anotsvaka chikomba
5:2b.SON.005.002 Ndakanga ndivete, asi moyo wangu wakanga wakasvinura; Inzwi romudiwa wangu, anogogodza, achiti, Ndizarurire, hanzvadzi yangu, mudiwa wangu, njiva yangu, akakwana wangu; Nokuti musoro wangu uzere nedova, Vhudzi rangu namadonhedza ousiku.
5:3b.SON.005.003 Ndabvisa nguvo yangu; ndingaifuka sei? Ndashambidza tsoka dzangu; ndingadzisvibisa sei?
5:4b.SON.005.004 Mudiwa wangu akapinza ruoko rwake napavuri romukova, moyo wangu ukamushuva.
5:5b.SON.005.005 Ndakasimuka, ndichiti ndizarurire mudiwa wangu; Maoko angu akadonha mura, Neminwe yangu mura inoyerera, Pazvibato zvechizarira.
5:6b.SON.005.006 Ndakazarurira mudiwa wangu; Asi mudiwa wangu akanga atendeuka, aenda. Mweya wangu wakanga watorwa pakutaura kwake; Nakamutsvaka, asi handina kumuwana; Ndikamudana, asi haana kundipindura.
5:7b.SON.005.007 Varindi, vanofamba-famba neguta, vakandiwana; Vakandirova, vakandikuvadza; Vatariri vamasvingo vakanditorera jasi rangu.
5:8b.SON.005.008 Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu, Kana mukawana mudiwa wangu,
5:9b.SON.005.009 Ko mudiwa wako anopfuura vamwe vadiwa neiko, Nhai, iwe, unopfuura vakadzi vose nokunaka? Ko mudiwa wako unopfuura vamwe vadiwa neiko, Zvaunotipikira saizvozvo?
5:10b.SON.005.010 Mudiwa wangu akachena nokutsvuka, Anozikanwa pakati pezana ramazana.
5:11b.SON.005.011 Musoro wake wakaita sendarama yakaisvonaka; Vhudzi rake rakapetana, idema segunguvo.
5:12b.SON.005.012 Meso ake akaita seenjiva pahova dzemvura, Dzakashambwa nomukaka, sezvibwe zvakarongedzwa zvakanaka.
5:13b.SON.005.013 Matama ake akaita sendima yemiti inonhuwira, Samatutu emiriwo inonaka; Miromo yake yakaita samaruva anodonha mura inoyerera.
5:14b.SON.005.014 Maoko ake akaita samapango endarama, akaiswa bheriri; Muviri wake wakaita senyanga dzenzou, dzakafukidzwa nesafiro.
5:15b.SON.005.015 Makumbo ake akaita sembiru dzamabwe machena, dzakaiswa pazvigadziko zvendarama yakaisvonaka; Kuonekwa kwake kwose kwakafanana neRebhanoni, kwakaisvonaka semisidhari.
5:16b.SON.005.016 Muromo wake wakanaka kwazvo; Zvirokwazvo, wakaisvonaka kwazvo-kwazvo. Ndizvo zvakaita mudiwa wangu, ndizvo zvakaita shamwari yangu, Imi vakunda veJerusaremu.
6
6:1b.SON.006.001 Mudiwa wako akaendepiko, Iwe, unopfuura vakadzi vose nokunaka? Mudiwa wako wakaringirepiko, Kuti timutsvake pamwechete newe?
6:2b.SON.006.002 Mudiwa wangu wakadzira kumunda wake, Kundima dzemiti inonhuwira, Kufudza makwai ake muminda,nokutanha maruva.
6:3b.SON.006.003 Ini ndiri womudiwa wangu; mudiwa wangu ndowangu; Anofudza makwai ake pakati pamaruva. Chikomba nomwenga vanorumbidzana
6:4b.SON.006.004 Wakanaka, shamwari yangu saTiriza, Wakanaka seJerusaremu, Unotyisa sehondo ine mireza.
6:5b.SON.006.005 Usanditarira nameso ako, Nokuti andikunda. Vhudzi rako rakafanana neboka rembudzi, Dzinoburukira mujinga megomo reGiriyadhi.
6:6b.SON.006.006 Meno aka akafanana neboka renhunzvi dzamakwai, Dzinobva pakushambwa; Rimwe nerimwe radzo rina vana vaviri, Hakuna rimwe risina mwana.
6:7b.SON.006.007 Zvavovo zvako zvakafanana nebhande redamba Pakutarira kwako pakati pechifukidzo chako.
6:8b.SON.006.008 Vahosi vana makumi matanhatu navarongo vana makumi masere variko, Nemhandara dzisingaperi.
6:9b.SON.006.009 Njiva yangu, akakwana wangu, ndiye mumwe oga; Ndiye mwana mumwe woga wamai vake; Ndiye musanangurwa wowakamubereka; Vakunda vakamuona, vakati akaropafadzwa; Navahosi navarongo, vakamurumbidza.
6:10b.SON.006.010 Ndianiko uyo anotarira samambakwedza, Akanaka somwedzi, Akachena sezuva, Anotyisa sehondo ine mireza?
6:11b.SON.006.011 Ndakaburukira kumunda wenzungu, Kuti ndione miti mitema mumupata, Kuti ndione kana muzambiringa wotunga, kana matamba otunga maruva.
6:12b.SON.006.012 Ndisati ndazviziva, mweya wangu wakandiisa Pakati pengoro dzavanhu vangu vakarurama.
6:13b.SON.006.013 Dzoka, dzoka, Shuramiti; Dzoka, dzoka, kuti tikutarire. Munoda kutarira muShuramiti neiko, Sezvamunotarira kutamba kweMahanaimi?
7
7:1b.SON.007.001 Tsoka dzako dzakanaka seiko mushangu, iwe mukunda womuchinda! Hudyu dzako, dzakatendereka, dzakaita sezvishongo, Basa ramaoko emhizha.
7:2b.SON.007.002 Guvhu rako rakaita somukombe wakatendereka, Musingashaikwi waini yakavhenganiswa; Chiuno chako chaita sedutu rezviyo Rakakomberedzwa namaruva.
7:3b.SON.007.003 Mazamu ako maviri akafanana navana vemharapara, Vana vakaberekwa vari vaviri.
7:4b.SON.007.004 Mutsipa wako wakaita seshongwe yorunyanga rwenzou; Meso ako samakuvi paHeshibhoni, Pasuo reBhatirabhimi; Mhinho dzako dzakafanana neshongwe yeRebhanoni Yakatarisana neDhamasiko.
7:5b.SON.007.005 Musoro wako pamusoro pako wakafanana neKarimeri; Nevhudzi romusoro wako nomucheka mutsvuku; Mambo akasungwa nevhudzi rakapetana.
7:6b.SON.007.006 Wakanaka sei, unofadza sei, Mudiwa, pakati pezvinofadza.
7:7b.SON.007.007 Umiro hwako hwakafanana nomuchindwe, Namazamu ako namasumbu ezvibereko zvawo.
7:8b.SON.007.008 Ndakati, ndichakwira mumuchindwe, Ndibate matavi awo; Mazamu ako ngaave samasumbu emizambiringa, Nokunhuwira kwemhino dzako sokunhuwira kwamaapuri,
7:9b.SON.007.009 Nomuromo wako sewaini yakaisvonaka, Inotapira mudikanwa wangu pakunwiwa kwayo, Inoyerera pamiromo yavavete.
7:10b.SON.007.010 Ndini womudiwa wangu; Kuda kwake kunondivinga.
7:11b.SON.007.011 Uya mudiwa wangu, ngatibudire kusango, Ngatigare mumisha.
7:12b.SON.007.012 Ngatifumire kuminda yemizambiringa; Tindoona kana muzambiringa watunga; Kana maruva akura, Kana matamba atunga maruva; Ndipapo pandichakupa rudo rwangu.
7:13b.SON.007.013 Mudiwadiwa anobudisa kunhuwira. Pamikova yedu panezvinonaka zvamarudzi ose, zvitsva nezvisharu, Zvandakakuchengetera, iwe mudiwa wangu.
8
8:1b.SON.008.001 Aiwa, dai wakanga wakaita sehanzvadzi yangu, Akamwa mazamu amai vangu! Dai ndakuwana panze, ndakutsvoda; Zvirokwazvo, hakuna aindishora.
8:2b.SON.008.002 Ndaienda newe, ndikakuisa mumba mamai vangu Ivo vandidzidzise; Ndaikupa waini yakavhenganiswa nezvinonhuwira kuti uinwe, Nomukumbi wamatamba angu.
8:3b.SON.008.003 Ruoko rwake rworuboshwe ngaruve pasi pomusoro wangu, Ruoko rwake rworudyi ngarundimbundikire.
8:4b.SON.008.004 Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo, Kusvikira irwo rwada rumene.
8:5b.SON.008.005 Ndianiko uyo anokwira achibva kurenje, Akasendamira pamudiwa wake? Pasi pomuapuri ndipo pandakakumutsa; Ndipo pakakutamburira mai vako, Ndipo pavakakutamburira, ivo vakakubereka.
8:6b.SON.008.006 Ndishonge sechisimbiso pamoyo pako, Sechisimbiso paruoko rwako; Nokuti rudo rune simba sorufu; Godo rinokuvadza seSheori; Kupisa kwaro ndiko kupisa komoto, Murazvo chaiwo waJehovha.
8:7b.SON.008.007 Mvura zhinji haigoni kudzima rudo; Nzizi hadzingarubitirisi; Kunyange munhu akapa fuma yose yeimba yake kuti awane rudo, Angazvidzwa chose.
8:8b.SON.008.008 Tine chinununa, Chigere kuva namazamu; Tichadiniko nechinununa chedu Nezuva raachakumbirwa?
8:9b.SON.008.009 Kana ari rusvingo, Tichavaka pamusoro pake kashongwe kesirivheri Kana ari mukova, Tichamukomberedza namapuranga emisidhari.
8:10b.SON.008.010 Ini ndaiva rusvingo, mazamu angu akaita shongwe dzarwo; Panguva iyo ndakava pamberi pake somunhu akawana rugare.
8:11b.SON.008.011 Soromoni akanga ano munda wemizambiringa paBhaarihamoni, Akaisa munda uyo kuvatariri; Mumwe nomumwe aifanira kumuvigira masirivha ane gumi ramazana pamusoro pezvibereko zvawo.
8:12b.SON.008.012 Munda wangu wemizambiringa, iwo wangu, uri pamberi pangu; Iwe Soromoni, uchapiwa gumi ramazana, Navanochengeta zvibereko zvawo vachapiwa mazana maviri.
8:13b.SON.008.013 Iwe, unogara muminda, Shamwari dzako dzinoteerera inzwi rako; Nditendere ini ndirinzwewo.
8:14b.SON.008.014 Kurumidza, mudiwa wangu, Uve semharapara kana mwana wenondo Pamusoro pamakomo ezvinonhuwira.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Song of Solomon (Shona). Song of Solomon (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C596-0