Ecclesiastes (Shona)

Ecclesiastes (Shona)

1

1:1b.ECC.001.001 Mashoko oMuparidzi, mwanakomana waDhavhidhi, mambo paJerusaremu.

1:2b.ECC.001.002 Zvanzi noMuparidzi, hazvina maturo chose, hazvina maturo chose, zvose hazvina maturo chose!

1:3b.ECC.001.003 Munhu angabatsirweiko nokutambudzika kwake kwose, kwaanotambudzika nako pasi pezuva?

1:4b.ECC.001.004 Rudzi rumwe runoenda, rumwe rudzi runouya; asi pasi panongogarapo nokusingaperi.

1:5b.ECC.001.005 Zuva rinobudawo, zuva rinovira, richikurumidzira kwarinozobudazve.

1:6b.ECC.001.006 Mhepo inoenda zasi, yodzoka yoenda kumusoro; inoramba ichidzoka pakufamba kwayo; mhepo inodzokerazve pakupotereka kwayo.

1:7b.ECC.001.007 Nzizi dzose dzinodira mugungwa, kunyange zvakadaro gungwa harizari; kunzvimbo kunoenda nzizi, ndiko kwadzinodzokerazve.

1:8b.ECC.001.008 Zvinhu zvose zvizere nokuneta; hakuna munhu angazvitaura; ziso hariguti nokuona, nzeve haizari nokunzwa.

1:9b.ECC.001.009 Chakanga chiripo, ndicho chichazovapo, chakamboitwa, ndicho chichazoitwa; hapane chinhu chitsva pasi pezuva.

1:10b.ECC.001.010 Chinhu chiriko here, chatingati, Tarirai, chinhu ichi chitvsa? Chakanga chichingovapo kare, panguva dzakatitangira.

1:11b.ECC.001.011 Marudzi akapfuura haacharangarirwi; namarudzi achazotevera, haangatongorangarirwi navanozovatevera.

1:12b.ECC.001.012 Ini Muparidzi, ndakanga ndiri mambo waIsiraeri paJerusaremu.

1:13b.ECC.001.013 Ndikarwadza moyo wangu kutsvaka nokunzvera nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga; ibasa rinotambudza rakapiwa vanakomana vavanhu vaMwari, kuti vazvitambudze naro.

1:14b.ECC.001.014 Ndakaona mabasa ose anoitwa pasi pezuva; tarirai, zvose hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.

1:15b.ECC.001.015 Chakakombama hachibviri kururamiswa; chinoshaikwa hachibviri kuverengwa.

1:16b.ECC.001.016 Ndakataurirana nomoyo wangu, ndichiti, Tarira ndazviwanira uchenjeri hukuru, kukunda vose vakanditangira paJerusaremu;zvirokwazvo moyo wangu wakaona uchenjeri huzhinji nezivo.

1:17b.ECC.001.017 Asi ndakati ndichirwadza moyo wangu kuti ndizive uchenjeri nezivo, noupengo noupenzi, ndikaona kuti naizvozvowo ndiko kudzingana nemhepo bedzi.

1:18b.ECC.001.018 Nokuti muuchenjeri huzhinji munokuchema kuzhinji; uye anowedzera zivo, anowedzera shungu.

2

2:1b.ECC.002.001 Ndakati mumoyo mangu, uya hako, ndichakuidza nomufaro; chifarira zvinhu zvakanaka! Asi tarira, naizvozvowo zvakanga zvisina maturo.

2:2b.ECC.002.002 Kana kuri kuseka, ndakati, Upengo! Kana uri mufaro, ndakati, Unobatsireiko?

2:3b.ECC.002.003 Ndakanzvera moyo wangu, ndione kuti ndingafadza nyama yangu sei newaini, moyo wangu uchindifambisa hawo nouchenjeri, uye kuti ndingaramba ndakabata upenzi, kusvikira ndaona kuti zvakanaka ndezvipi zvingaitwa navanakomana vavanhu pasi pedenga mazuva ose oupenyu hwavo.

2:4b.ECC.002.004 Ndakazviitira mabasa makuru; ndakazvivakira dzimba; ndakazvirimira minda yemizambiringa;

2:5b.ECC.002.005 ndakazviitira minda neminda yemiti, ndikasimamo miti inobereka michero yamarudzi ose;

2:6b.ECC.002.006 ndakazviitira madziva emvura, kuti ndidiridze matondo pakanga pasimwa miti;

2:7b.ECC.002.007 ndakatenga varanda navarandakadzi, ndikava navaranda vakaberekerwa mumba mangu; ndakanga ndine fuma zhinji yemombe nemakwai, kupfuura vose vakanditangira paJerusaremu;

2:8b.ECC.002.008 ndakazviunganidzirawo sirivha nendarama, nefuma yamadzimambo neyenyika dzose; ndakazvitsvakira vaimbi varume navakadzi, nezvinofadza zvavanakomana vavanhu, navarongo vazhinji.

2:9b.ECC.002.009 Saizvozvo ndakanga ndiri munhu mukuru, ndikaramba ndichikura kupfuura vose vakanditangira paJerusaremu; uye huchenjeri hwangu hwakagara neni.

2:10b.ECC.002.010 Zvose zvakadikanwa nameso angu handina kuanyima izvozvo; handina kutongodzora moyo wangu pamufaro upi noupi; nokuti moyo wangu wakanga uchifara nokubata kwangu kwose; ndiwo wakanga uri mugove wangu wakabva pakubata kwangu kwose.

2:11b.ECC.002.011 Zvino ndakacherekedza mabasa ose akanga aitwa namaoko angu, nokubata kwose kwandakatambura kubata tarira zvose zvakanga zvisina maturo, kwaiva kudzingana nemhepo bedzi, kwakanga kusine chinhu chinobatsira pasi pezuva.

2:12b.ECC.002.012 Zvino ndakatendeuka kuti ndicherekedze uchenjeri, noupengo, noupenzi, nokuti chinyi chingaitwa nomunhu unotevera mambo? Izvozvo zvakanguva zvaitwa.

2:13b.ECC.002.013 Ipapo ndakaona kuti, Uchenjeri hwakanaka kupfuura upenzi, zvichiita sechiedza chakanaka kupfuura rima.

2:14b.ECC.002.014 Meso omunhu akachenjera ari mumusoro wake, asi benzi rinofamba murima; kunyange zvakadaro ndakaona kuti vose vanowirwa nechinhu chimwe chete.

2:15b.ECC.002.015 Ipapo ndakati mumoyo mangu, Sezvinoitirwa benzi, ndizvo zvandichaitirwa neniwo; ko ini ndaiva wakachenjera nei ! Ndikati mumoyo mangu, izvi zvose hazvina maturowo.

2:16b.ECC.002.016 Nokuti munhu akachenjera akafanana nebenzi pakusarangarirwa nokusingaperi; nokuti zvinozokanganikwa zvose pamazuva anouya. Akachenjera haazinofa sebenzi here?

2:17b.ECC.002.017 Saka ndakavenga upenyu, nokuti basa rinoitwa pasi pezuva rakandinzwisa shungu; nokuti zvose hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.

2:18b.ECC.002.018 Zvino ndakavenga kubata kwangu kwose kwandatambura kubata pasi pezuva, zvandinofanira kuzvisiyira munhu anonditevera.

2:19b.ECC.002.019 Zvino ndiani angaziva kana iye achava akachenjera kana benzi? Kunyange zvakadaro achava nesimba pamusoro pokubata kwangu kwose kwandakatambura kubata, nezvandakaita nouchenjeri pasi pedenga. Naizvozvowo hazvina maturo.

2:20b.ECC.002.020 Saka ndakatendeuka, kuti ndiodze hangu moyo wangu pamusoro pokubata kwangu kwose kwandakatambura kubata pasi pezuva.

2:21b.ECC.002.021 Nokuti munhu ariko akabata nouchenjeri nezivo noumhizha; kunyange zvakadaro anofanira kuzvisiyira mumwe, uve mugove wake,asina kutongozvitamburira. Naizvozvowo hazvina maturo, chinhu chakaipa kwazvo.

2:22b.ECC.002.022 Nokuti munhu anowanei pamusoro pokubata kwake kwose, nokushingaira kwomoyo wake, kwaanobata nako pasi pezuva?

2:23b.ECC.002.023 Nokuti mazuva ake ose inhamo bedzi, nokutambudzika kwake kuchema; zvirokwazvo kunyange usiku moyo wake hauzorori. Naizvozvowo hazvina maturo.

2:24b.ECC.002.024 Hakune chinhu chinopfuura ichi,kuti munhu adye anwe afadze mweya wake nezvakanaka pakati pokubata kwake. Ndakaona kuti naizvozvi zvinobva kuruoko rwaMwari.

2:25b.ECC.002.025 Nokuti ndiani angadya, ndiani angafarira chinhu kunze kwake?

2:26b.ECC.002.026 Nokuti munhu, anomufadza, anopiwa huchenjeri, nezivo, nomufaro; asi mutadzi anopiwa kutambudzika, kuti aunganidze nokututira, agozvipa mumwe anofadza Mwari. Naizvozvowo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo.

3

3:1b.ECC.003.001 Chinhu chimwe nechimwe chino musi wacho, uye shoko rimwe nerimwe pasi pedenga rine nguva yaro.

3:2b.ECC.003.002 Nguva yokuberekwa, nenguva yokufa; nguva yokusima, nenguva yokudzura chakasimwa;

3:3b.ECC.003.003 nguva yokuuraya, nenguva yokuporesa; nguva yokuputsa, nenguva yokuvaka;

3:4b.ECC.003.004 nguva yokuchema, nenguva yokuseka; nguva yokuungudza, nenguva yokupembera;

3:5b.ECC.003.005 nguva yokurasha mabwe, nenguva yokuunganidza mabwe; nguva yokumbundikira, nenguva yokurega kumbundikira;

3:6b.ECC.003.006 nguva yokutsvaka, nenguva yokurega zvirashike; nguva yokuchengeta, nenguva yokurasha;

3:7b.ECC.003.007 nguva yokubvarura, nenguva yokusona; nguva yokunyarara, nenguva yokutaura;

3:8b.ECC.003.008 nguva yokuda, nenguva yokurwa, nenguva yorugare.

3:9b.ECC.003.009 Ko iye anobata anobatsirwei nezvaanotamburira?

3:10b.ECC.003.010 Ndakaona kutambudzika kwakapiwa vanakomana vavanhu naMwari, kuti vazvitambudze nazvo.

3:11b.ECC.003.011 Chinhu chimwe nechimwe akachiita chakanaka panguva yacho; akaisawo zvisingaperi mumoyo mavo, kunyange zvakadaro munhu haangagoni kunzwisisa zvakabatwa naMwari kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira.

3:12b.ECC.003.012 Ndinoziva kuti hakune chinhu chakanaka pakati pavo chingapfuura ichi, kuti vafare, uye kuti vaite zvakanaka upenyu hwavo hwose.

3:13b.ECC.003.013 Uyewo, kuti chipo chaMwari kuti munhu mumwe nomumwe adye, anwe, afarire zvinhu zvakanaka pakubata kwake kwose.

3:14b.ECC.003.014 Ndinoziva kuti zvose zvinoitwa naMwari, zvichagara nokusingaperi; hakune chinhu chingawedzerwa, kana chingabviswa pazviri; Mwari akazviita izvozvo, kuti vanhu vamutye.

3:15b.ECC.003.015 Zviripo zvino, zvakanguva zvavapo; uye izvo, zvichavapo, zvakanguva zvavapo; anotsvakazve zvakanga zvapfuura.

3:16b.ECC.003.016 Uyezve, ndakaona pasi pezuva, kuti panzvimbo yokururamisira, zvakaipa zvakanga zviripo; uye panzvimbo yokururama, zvakaipa zvakanga zviripo.

3:17b.ECC.003.017 Ndakati mumoyo mwangu, Mwari ndiye achatonga akarurama nowakaipa, nokuti nguva iripo yeshoko rimwe nerimwe nebasa rimwe nerimwe.

3:18b.ECC.003.018 Ndakati mumoyo mangu, Izvi zvinoitwa nokuda kwavanakomana vavanhu, kuti Mwari avaidze, aone kuti ivo vamene vakangoita semhuka.

3:19b.ECC.003.019 Nokuti zvinoitirwa vanakomana vavanhu ndizvo zvinoitirwawo mhuka; zvose zvinoitirwa chinhu chimwe. Mufiro womunhu, ndiwo mufiro wemhuka, zvose zvinokufema kumwe; munhu haana paanopfuura mhuka; nokuti zvose hazvina maturo.

3:20b.ECC.003.020 Zvose zvinoenda kunzvimbo imwe; zvose zvinobva pavhu, zvose zvinodzokerazve kuvhu.

3:21b.ECC.003.021 Ndiani ungaziva kana kufema kunopa upenyu kumunhu kunokuisa kumusoro, kana kufema kunopa upenyu kumhuka kuchiburukira pasi?

3:22b.ECC.003.022 Saka ndakaona kuti hakune chinhu chinopfuura ichi, kuti munhu afarire mabasa ake, nokuti ndiwo mugove wake; nokuti ndiani achamudzosazve kuti aone zvichamutevera.

4

4:1b.ECC.004.001 Zvino ndakadzokazve, ndikaona kumanikidzwa kwose kunoitwa pasi pezuva; tarira, kwakanga kune misodzi yavanomanikidzwa, vachishaiwa munyaradzi; vamanikidzi vavo ndivo vakanga vane simba, asi ivo vakashaiwa munyaradzi.

4:2b.ECC.004.002 Naizvozvo ndakati vakafa, vakanguva vafa, vanomufaro kupfuura vapenyu vachiri vapenyu.

4:3b.ECC.004.003 Zvirokwazvo, ndakati agere kutongovapo, iye asina kuona basa rakaipa rinoitwa pasi pezuva anomufaro kupfuura vapenyu.

4:4b.ECC.004.004 Zvino ndakaona kubata kwose noumhizha hwose pakubata, kuti munhu anovengwa nowokwake pamusoro pazvo. Naizvozvo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.

4:5b.ECC.004.005 Benzi rinofungatira maoko aro, richidya nyama yaro.

4:6b.ECC.004.006 Tsama imwe yorugare inopfuura nokunaka tsama mbiri dzokutambudzika no kudzingana nemhepo.

4:7b.ECC.004.007 Zvino ndakadzoka, ndikaona zvisina maturo pasi pezuva.

4:8b.ECC.004.008 Mumwe ariko anongogara ari oga, asina mumwe wake; zvirokwazvo, haana mwanakomana kana munununa, kunyange zvakadaro kubata kwake hakuna mugumo, uye meso ake haaguti nefuma. Anoti, Zvino ndinobatira ani, ndichinyima moyo wangu zvinhu zvakanaka? Naizvozvowo hazvina maturo, zvirokwazvo ndiko kutambudzika kukuru.

4:9b.ECC.004.009 Vaviri vanopfuura mumwe, nokuti vanomubayiro wakanaka wokubata kwavo.

4:10b.ECC.004.010 Nokuti kana vakawira pasi, mumwe achasimudza shamwari yake; asi ari oga ane nhamo kana achiwira pasi, haano mumwe angamusimudza.

4:11b.ECC.004.011 Uyezve, kana vaviri vachivata pamwechete, vachadziyirwa; asi mumwechete angadziyirwa sei?

4:12b.ECC.004.012 Kana munhu akavamba mumwe, vaviri vangamudzivisa; rwonzi rwakakoshwa mutatu harungakurumidzi kudamburwa.

4:13b.ECC.004.013 Jaya murombo, rakachenjera, rinopfuura mambo mutana benzi, asichazivi kutenda kana achirangwa.

4:14b.ECC.004.014 Nokuti akabuda mutorongo kuzova mambo; zvirokwazvo, kunyange paushe hwake akaberekwa ari murombo.

4:15b.ECC.004.015 Ndakaona vapenyu vose vanofamba pasi pezuva, vachitevera jaya, iye wechipiri, wakamuka panzvimbo yake.

4:16b.ECC.004.016 Vanhu vose vakanga vasingaverengwi, ivo vose vakanga vakabatwa naye; kunyange zvakadaro, vanozotevera havangamufariri. Zvirokwazvo, naizvozvowo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.

5

5:1b.ECC.005.001 Ngwarira rutsoka rwako kana uchienda kuimba yaMwari; nokuti kuswedera kuzonzwa kunopfuura kubayira chibayiro chamapenzi; nokuti havazivi kuti vanoita zvakaipa.

5:2b.ECC.005.002 Usakurumidza nomuromo wako, moyo wako urege kukurumidza kutaura shoko pamberi paMwari; nokuti Mwari ari kudenga, iwe uri pasi; naizvozvo mashoko ako ngaave mashoma.

5:3b.ECC.005.003 Nokuti kurota kunouya namabasa mazhinji, nenzwi rebenzi namashoko mazhinji.

5:4b.ECC.005.004 Kana uchinge wapikira Mwari mhiko, usanonoka kuiripa; nokuti iye haafariri mapenzi; ripa zvaunopika.

5:5b.ECC.005.005 Zviri nani kuti urege kupika, pakuti upike usingaripi.

5:6b.ECC.005.006 Usatendera muromo wako kutadzisa nyama yako; usati pamberi pomutumwa waMwari, Yakanga iri mhosho; Mwari achatsamwireiko inzwi rako,akaparadza basa ramaoko ako?

5:7b.ECC.005.007 Nokuti pakurota kuzhinji napamashoko mazhinji pane zvisina maturo zvizhinji; asi iwe utye Mwari.

5:8b.ECC.005.008 Kana uchiona murombo achimanikidzwa, nokururamisa nokururama zvichibviswa nesimba panyika, usashamiswa nazvo; nokuti mukuru kuvakuru vose anocherekedza; vamwe variko vakuru kwavari.

5:9b.ECC.005.009 Nokuti nyika inobatsirwa zvikuru nechinhu ichi, mambo anofarira kurimiwa kweminda.

5:10b.ECC.005.010 Anoda sirivha, haangagutswi nesirivha, naiye anoda zvakawanda, haangagutswi nezvakawanda; naizvozvo hazvina maturo.

5:11b.ECC.005.011 Kana fuma ichiwanda, vadyi vanowandawo; mwene wayo anobatsirwei, asi kungoona nameso ake.

5:12b.ECC.005.012 Hope dzomunhu, unobata, dzakanaka, kana achidya zvishoma kana zvizhinji; asi kuguta kwomufumi hakumutenderi kuvata.

5:13b.ECC.005.013 Kune chinhu chakaisvoipa, chandakaona pasi pezuva, fuma inochengetwa nomwene wayo, ichimuonesa nhamo.

5:14b.ECC.005.014 fuma iyo inopera nechinhu chakaipa chinomuwira; kana achinge abereka mwanakomana, haana chinhu muruoko rwake.

5:15b.ECC.005.015 Sezvaakabuda mudumbu ramai vake, achadzokazve asina chinhu, sezvaakabuda; haana chaakatamburira, chaangatora, chaangaenda nacho muruoko rwake.

5:16b.ECC.005.016 Nechinhu ichi chakaisvoipawo, kuti pazvose, sezvaakauya, saizvozvo achaendazve; zvino achawaneiko, zvaakatamburira mhepo?

5:17b.ECC.005.017 Mazuva ake osewo anodya murima, anotambudzika kwazvo; anourwere neshungu.

5:18b.ECC.005.018 Tarirai, zvandakaona kuti zvakanaka, zvinofanira munhu, ndiko kuti adye, anwe, afarire zvinhu zvakanaka pakubata kwake kwose kwaanobata pasi pezuva, mazuva ose oupenyu hwake hwaakapiwa naMwari; nokuti ndiwo mugove wake.

5:19b.ECC.005.019 Munhu mumwe nomumwewo, akapiwa naMwari fuma nezvakawanda, akapiwawo simba kuti azvidye nokutora icho chipo chinobva kuna Mwari.

5:20b.ECC.005.020 Nokuti iye haangarangariri zvikuru mazuva oupenyu hwake, nokuti Mwari anopindura pamufaro womoyo wake.

6

6:1b.ECC.006.001 Kune chinhu chakaipa chandakaona pasi pezuva, chinoremedza vanhu.

6:2b.ECC.006.002 Munhu anopiwa naMwari fuma nezvakawanda nokukudzwa, saizvozvo kuti mweya wake hautongoshaiwi chinhu chaanoda; asi Mwari haamupi simba rokudya izvozvo; asi mutorwa anozvidya, ichi hachina maturo, ihosha yakaipa.

6:3b.ECC.006.003 Kana munhu akabereka vana vane zana, akararama makore mazhinji, mazuva amakore ake akava mazhinji, asi mweya wake asingagutswi nezvakanaka, uyezve akasavigwa zvakanaka, ndinoti mwana wakaberekwa nguva isati yasvika anopfuura iye;

6:4b.ECC.006.004 nokuti anouya asina maturo, anoendazve murima, zita rake rinofukidzwa nerima;

6:5b.ECC.006.005 uyezve, haana kuona zuva kana kuriziva; mwana akadai ane zororo kupfuura iye.

6:6b.ECC.006.006 Zvirokwazvo, kunyange akararama makore ane zviuru zviviri zvamazana, asingafariri zvinhu zvakanaka, ko vose havaendi kunzvimbo imwe here?

6:7b.ECC.006.007 Kubata kwose kwomunhu kunoitirwa muromo wake; kunyange zvakadaro kuda kwake zvokudya hakugutswi.

6:8b.ECC.006.008 Nokuti akachenjera anokurira benzi nei? Kana murombo anei, iye anoziva kufamba zvakanaka pamberi pavapenyu.

6:9b.ECC.006.009 Kuona kwameso kunopfuura kutsvakatsvaka kwomweya. Naizvozvowo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.

6:10b.ECC.006.010 Chinhu chipi nechipi, chakavapo, chakanguva chapiwa zita racho, zvakatarwa kuti munhu achava akadini, haangarwi noanomupfuura nesimba.

6:11b.ECC.006.011 Nokuti mashoko mazhinji ariko, anowedzera zvisina maturo; munhu anobatsirwei nazvo?

6:12b.ECC.006.012 Nokuti ndiani anoziva zvakafanira munhu paupenyu hwake, iwo mazuva ose oupenyu hwake husina maturo, anorarama somumvuri? Nokuti ndiani angaudza munhu zvichazomutevera pasi pezuva?

7

7:1b.ECC.007.001 Mbiri yakanaka inopfuura chizoro chakanaka, nezuva rokufa kupfuura zuva rokuzvarwa.

7:2b.ECC.007.002 Zviri nani kuenda kuimba yokuchema, pakuenda kuimba yomutambo; nokuti ndiwo mugumo wavanhu vose; munhu mupenyu achazvirangarira pamoyo pake.

7:3b.ECC.007.003 Kuchema kunopfuura kuseka, nokuti moyo unofadzwa nokupunyaira kwechiso.

7:4b.ECC.007.004 moyo yavakachenjera iri paimba yokuchema, asi moyo yamapenzi iri paimba yokufara.

7:5b.ECC.007.005 Zviri nani kuti munhu anzwe kutuka kwavakachenjera, pakuti anzwe kuimba kwamapenzi.

7:6b.ECC.007.006 Nokuti kuseka kwebenzi kwakafanana nokuputika kweminzwa pasi pehari; naizvozvowo hazvina maturo.

7:7b.ECC.007.007 Zvirokwazvo kumanikidza kunoita muchenjeri benzi; uye fufuro inoparadza njere.

7:8b.ECC.007.008 Kuguma kwechinhu kunopfuura kutanga kwacho; ano moyo murefu anopfuura ano moyo unozvikudza.

7:9b.ECC.007.009 Usakurumidza pamweya wako kutsamwa, nokuti kutsamwa kunogara pachipfuva chamapenzi.

7:10b.ECC.007.010 Usati, Mazuva ekare anopfuura azvino nokunaka neiko? Nokuti haungabvunzi saizvozvo nouchenjeri.

7:11b.ECC.007.011 Uchenjeri hwakaenzana nenhaka; zvirokwazvo, hwakaisvonaka kuna vanoona zuva.

7:12b.ECC.007.012 Nokuti uchenjeri chitaviridzo, mariwo chitaviridzo, asi kunakisa kwezivo ndiko, kuti uchenjeri hunochengeta hupenyu hwaiye anahwo.

7:13b.ECC.007.013 Cherekedza basa raMwari, nokuti ndiani angaruramisa chaakakombamisa iye?

7:14b.ECC.007.014 Fara nezuva rokugara zvakanaka, rangarira nezuva rokutambudzika; Mwari ndiye akaita izvozvo zvose zviviri, kuti munhu arege kuziva zviri mberi kwake.

7:15b.ECC.007.015 Izvozvi zvose ndakazviona pamazuva angu asina maturo. Akarurama ariko, anoparara pakati pokururama kwake, uyezve, munhu akaipa ariko, anorarama nguva huru pakati pezvakaipa zvake.

7:16b.ECC.007.016 Usava munhu wakaisvorurama, usava wakaisvochenjera; uchazviparadzireiko?

7:17b.ECC.007.017 Usava munhu akaisvoipa, uye usava benzi; uchafireiko nguva yako isati yasvika?

7:18b.ECC.007.018 Zvakanaka kuti ubatisise chinhu ichi, uye usabvisa ruoko rwako panechecho; nokuti anotya Mwari, achapukunyuka panaizvozvo zvose.

7:19b.ECC.007.019 Uchenjeri hunosimbisa akachenjera kupfuura vabati vane gumi vari muguta.

7:20b.ECC.007.020 Zvirokwazvo, hapana munhu akarurama panyika, anoita zvakanaka, asingatadzi.

7:21b.ECC.007.021 Uyezve, usava nehanya namashoko ose anotaurwa, kuti urege kunzwa muranda wako achikutuka.

7:22b.ECC.007.022 Nokuti kazhinji moyo wako unoziva kuti newewo wakatuka vamwe saizvozvo.

7:23b.ECC.007.023 Izvozvi zvose ndakazviidza nouchenjeri; ndakati, Ndichava akachenjera; asi zvakanga zviri kure neni.

7:24b.ECC.007.024 Izvo, zviripo, zviri kure, zvakadzika kwazvo, ndiani angazviziva?

7:25b.ECC.007.025 Ndakatendeuka, moyo wangu ukada kuziva nokunzvera, nokutsvaka uchenjeri namano, ndizive kuti kuipa upenzi, noupenzi kupenga.

7:26b.ECC.007.026 Ndikawana chinhu chinovava kukunda rufu, ndiye mukadzi ari musungo, moyo wake ari mambure, namaoko ake zvisungo; Ani naani anofadza Mwari, achapukunyuka kwaari; asi mutadzi achabatwa naye.

7:27b.ECC.007.027 Zvanzi noMuparidzi, Tarirai, ndizvozvi zvandakawana, ndichiverenga chinhu chimwe nechimwe, kuti ndiwane shumo yazvo;

7:28b.ECC.007.028 zvinongoramba zvichitsvakwa nomweya wangu, asi ndigere kuzviwana, ndakawana murume mumwe pakati pechiuru chezana, asi handina kuwana mukadzi pakati pavazhinji vakadai.

7:29b.ECC.007.029 Asi tarirai, chinhu chimwe ichi chete ndicho chandakawana, kuti Mwari akaita munhu akarurama, asi ivo vakatsvaka mano mazhinji.

8

8:1b.ECC.008.001 Ndiani akafanana nomunhu akachenjera? Ndiani anoziva kududzira chinhu? Uchenjeri hwomunhu hunobwinyisa chiso chake; hasha dzechiso chake dzinoshandurwa.

8:2b.ECC.008.002 Ndinoti, Chengeta murayiro wamambo, uzviite nokuda kwezvawakapikira Mwari.

8:3b.ECC.008.003 Usakurumidza kubva pamberi pake; usatsungirira pachinhu chakaipa, nokuti anoita zvose zvaanoda.

8:4b.ECC.008.004 Nokuti shoko ramambo rine simba, ndiani angati kwaari, Munoiteiko?

8:5b.ECC.008.005 Munhu anochengeta murayiro, haangaoni chinhu chakaipa; moyo wowakachenjera unoziva nguva nokutongwa.

8:6b.ECC.008.006 Nokuti chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho nokutongwa kwacho; nokuti kushata kwomunhu kunomuremedza;

8:7b.ECC.008.007 nokuti haazivi zvichazovapo; nokuti ndiani angamuzivisa kuti zvichava zvakadini?

8:8b.ECC.008.008 Hakuna munhu ane simba pamusoro pemhepo, kuti adzivirire mhepo; uye haana simba pamusoro pezuva rorufu; hakuna kukanganwirwa pakurwa; saizvozvo zvakaipa hazvingarwiri iye anozviita.

8:9b.ECC.008.009 Izvozvi zvose ndakazviona, ndikarangarira nomoyo wangu mabasa ose anoitwa pasi pezuva, panguva kana mumwe munhu ane simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa. Mubayiro wavakarurama navasakarurama

8:10b.ECC.008.010 Saizvozvo ndakaona akaipa achivigwa, vanhu vakauya kuhwiro hwake; asi vakanga vaita zvakarurama vakabva panzvimbo tsvene, vakakanganikwa muguta; naizvozvo hazvina maturo.

8:11b.ECC.008.011 Kutongwa zvakusingakurumidzi kuuya pamusoro pebasa rakaipa, moyo yavanakomana vavanhu inotsungirira kuita zvakaipa.

8:12b.ECC.008.012 Kunyange mutadzi akaita zvakaipa rune zana, akava namazuva mazhinji, kunyange zvakadaro ndinoziva zvirokwazvo kuti vanotya Mwari, vanotya pamberi pake, vachagara zvakanaka;

8:13b.ECC.008.013 asi akaipa haangagari zvakanaka, haangavi namazuva mazhinji, zvaakafanana nomumvuri; nokuti haatyi pamberi paMwari.

8:14b.ECC.008.014 Chinhu chisina maturo chiripo, chinoitwa panyika, ndicho kuti vakarurama variko vanoitirwa sezvinoitirwa mabasa avakaipa, uyezve vakaipa variko vanoitirwa sezvinoitirwa mabasa avakarurama; ndikati, Naizvozvi hazvina maturo.

8:15b.ECC.008.015 Ipapo ndakarumbidza mufaro, nokuti munhu haane chinhu chinopfuura ichi, kuti adye, anwe, afare; kuti izvozvo zvigare naye pakubata kwake mazuva ose ohupenyu hwake, hwaakapiwa naMwari pasi pezuva.

8:16b.ECC.008.016 Zvino ndakati ndichirangarira nomoyo wangu kuti ndizive uchenjeri nokuona kubata kunoitwa panyika (nokuti vamwe variko vasingaoni hope nameso avo masikati novusiku),

8:17b.ECC.008.017 ndikaona mabasa ose aMwari, kuti munhu haanganzwisisi mabasa ose anoitwa pasi pezuva; nokuti kunyange munhu akatambura hake kuti azvinzvere, haanganzwisisi hake; zvirokwazvo, kunyange munhu, akachenjera, achiti, ndinozviziva, kunyange zvakadaro, haangagoni kuzvinzwisisa.

9

9:1b.ECC.009.001 Nokuti izvozvo zvose ndakazvira ngarira nomoyo wangu, kuti ndinzwisise izvozvi zvose, kuti vakarurama navakachenjera vari paruoko rwaMwari, pamwechete namabasa avo; kana kuri kuda kana kuvenga, munhu haazvizivi; zvose zviri mberi kwazvo.

9:2b.ECC.009.002 Zvose zvinoenzanisirwa vose; chinhu chimwe chinoitirwa wakarurama nowakaipa, wakanaka nowakachena noane tsvina, anobayira noasingabayiri, akanaka nomutadzi, anopika noanotya kupika.

9:3b.ECC.009.003 Chinhu ichi chakaipa pakati pezvose zvinoitwa pasi pezuva, kuti chinhu chimwe chiitirwe vose; zvirokwazvowo, moyo yavanakomana vavanhu izere nezvakaipa, uye upengo huri mumoyo yavo vachiri vapenyu; shure kwaizvozvo vanoenda kuvakafa.

9:4b.ECC.009.004 Nokuti kana munhu achiri pakati pavapenyu vose, achine chinhu chaangatarira; nokuti imbwa mhenyu inopfuura shumba yakafa.

9:5b.ECC.009.005 Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva, kunyange nomubayiro havachina; nokuti havacharangarirwi.

9:6b.ECC.009.006 Rudo rwavo, nokuvenga kwavo, negodo ravo, zvose zvanguva zvapera hazvo; havachino mugove nokusingaperi pazvose zvinoitwa pasi pezuva.

9:7b.ECC.009.007 Enda zvako, udye zvokudya zvako nomufaro, unwe waini yako nomoyo wakafara; nokuti Mwari atofadzwa namabasa ako.

9:8b.ECC.009.008 nguvo dzako dzigare dzakachena, nomusoro wako urege kushaiwa mafuta.

9:9b.ECC.009.009 Gara nomufaro nomukadzi wako, waunoda, mazuva ako ose asina maturo, aakakupa pasi pezuva, mazuva ako ose asina maturo; nokuti ndiwo mugove wako paupenyu, uye pakubata kwako kwaunobata pasi pezuva.

9:10b.ECC.009.010 Zvose zvinowana ruoko rwako, kuti ruzviite, uzviite nesimba rako rose; nokuti hakune basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori kwaunoenda. Uchenjeri hunopfuura zvose

9:11b.ECC.009.011 Ndakadzoka, ndikaona pasi pezuva, kuti anomhanyisa haazi iye anokunda pakurwa ane simba haazi iye anokunda pakurwa, akachenjera haazi iye ane zvokudya , vanhu vane njere havazi ivo vane fuma, vanhu vanoumhizha havazi ivo vanofarirwa; asi vanowirwa vose nenguva nezvinoitika.

9:12b.ECC.009.012 Nokuti nomunhuwo haazivi nguva yake; sehove, dzinobatwa murutava rwakaipa, kana shiri, dzinobatwa murugombe; saizvozvo vanakomana vavanhu vanoteyiwa nenguva yakaipa, kana yavawira kamwe-kamwe.

9:13b.ECC.009.013 Ndakaonawo pasi pezuva uchenjeri hwakadai, ndikati hukuru.

9:14b.ECC.009.014 Kwakanga kune guta duku, maiva navarume vashoma; mumwe mambo mukuru akarimukira, akarikomba, akarivakira masvingo makuru okurwa nawo.

9:15b.ECC.009.015 Zvino mukati maro makawanikwa murombo akanga akachenjera, iye akaponesa guta nouchenjeri hwake; asi hakuna munhu akarangarira munhu uyo murombo.

9:16b.ECC.009.016 Ipapo ndakati, Uchenjeri hunopfuura simba; kunyange zvakadaro uchenjeri hwomurombo hunoshorwa, namashoko ake haateererwi.

9:17b.ECC.009.017 Mashoko avakachenjera, anonzwika kana kwakadzikama, anopfuura kudanidzira kwomunhu anobata ushe pakati pamapenzi.

9:18b.ECC.009.018 Uchenjeri hunopfuura nhumbi dzokurwa; asi mutadzi mumwe anoparadza zvakanaka zvizhinji.

10

10:1b.ECC.010.001 Nhunzi dzakafa dzinonhuwisa nokuodza chizoro chomuvenganisi wezvinonhuwira; saizvozvo upenzi hushoma hunorema kukunda uchenjeri nokukudzwa.

10:2b.ECC.010.002 Moyo womunhu wakachenjera uri kurudyi rwake, asi moyo webenzi uri kuruboshwe rwake.

10:3b.ECC.010.003 Zvirokwazvo, kana benzi richifamba panzira, rinoshaiwa njere; rinozivisa vose kuti ndiri benzi.

10:4b.ECC.010.004 Kana kutsamwa kwomubati kukakumukira, usabva panzvimbo yako; nokuti unyoro hunonyaradza mhosva huru.

10:5b.ECC.010.005 Chinhu chakaipa chiripo chandakaona pasi pezuva, kuri kutadza kunobva kuvabati.

10:6b.ECC.010.006 Upenzi hunoiswa pakakwirira, asi vafumi vanogara pakaderera.

10:7b.ECC.010.007 Ndakaona varanda vakatasva mabhiza, namachinda achifamba pasi savaranda.

10:8b.ECC.010.008 Anochera gomba, achawiramo amene; ani naani anokoromora rusvingo, nyoka ichamuruma.

10:9b.ECC.010.009 Ani naani anoputsa mabwe, angakuvadzwa nawo; uye anobanzura huni, ari panjodzi.

10:10b.ECC.010.010 Kana simbi yagomara, munhu akasairodza, anofanira kunyanya kubata nesimba; asi uchenjeri hunobatsira pakururamisa.

10:11b.ECC.010.011 Kana nyoka ikaruma isati yarapwa namazango, nanga haibatsiri.

10:12b.ECC.010.012 Mashoko anobva mumuromo woakachenjera, anofadza; asi miromo yebenzi inomumedza iye.

10:13b.ECC.010.013 Kutanga kwamashoko omuromo waro upenzi; nokuguma kwokutaura kwaro upengo hwakashata.

10:14b.ECC.010.014 Benzi rinowanzawo mashoko; asi munhu haazivi zvichavapo; ndiani angamuzivisa zvichazovapo shure kwake?

10:15b.ECC.010.015 Kubata kwamapenzi kunonetsa mumwe nomumwe wavo; nokuti haatongozivi nzira yokuenda nayo kuguta.

10:16b.ECC.010.016 Iwe nyika une nhamo, kana mambo wako ari mwana, kana machinda ako achiita mutambo mangwanani.

10:17b.ECC.010.017 Unomufaro, iwe nyika, kana mambo wako ari mwanakomana wavakakudzwa, kana machinda ako achiita mutambo panguva yakafanira, kuti asimbiswe, asingaitiri kubatwa.

10:18b.ECC.010.018 Nousimbe denga reimba rinosakara; nokuSabata kwamaoko imba inodonha.

10:19b.ECC.010.019 Mutambo unoitirwa kuseka, uye waini inofadza upenyu; zvose zvingawanikwa nemari.

10:20b.ECC.010.020 Usatuka mambo, kunyange pakufunga kwako; usatuka mufumi paimba yako yokuvata; nokuti shiri yokudenga ingatakura inzwi, uye izvo zvinamapapiro zvingazivisa shoko.

11

11:1b.ECC.011.001 Kandira zvokudya zvako pamusoro pemvura, nokuti uchazviwanazve mazuva mazhinji apfuura.

11:2b.ECC.011.002 Goverana navanomwe, kunyange navaserewo, nokuti hauzivi zvakaipa zvakadini zvingava panyika.

11:3b.ECC.011.003 Kana makore azara nemvura, anoidururira panyika; uye kana muti ukawira pasi kurutivi rwezasi, kana rwokumusoro, ipo panowira muti ndipo pauchavata.

11:4b.ECC.011.004 Anogara achicherekedza mhepo haangakushi; uye anotarira makore, haangacheki.

11:5b.ECC.011.005 Sezvausingazivi mafambiro wemhepo, kana makuriro amapfupa mudumbu romukadzi ane mimba, saizvozvowo hauzivi basa raMwari, anoita zvose.

11:6b.ECC.011.006 Kusha mbeu dzako mangwanani, usabvisa ruoko rwako madekwana; no kuti hauzivi kuti chichakura ndechipi, kana ichi kana icho, kana zvimwe zviviri zvose zvichafanana pakunaka.

11:7b.ECC.011.007 Zvirokwazvo, chiedza chakanaka, uye meso anofara nokuona zuva.

11:8b.ECC.011.008 Zvirokwazvo, kana munhu akararama makore mazhinji, ngaafarire ose; asi ngaarangarire mazuva erima, kuti achava mazhinji; zvose zvinozouya hazvina maturo. Munhu ngaafarire zvose, asi ngaarangarire Musiki wake pauduku hwake

11:9b.ECC.011.009 Fara hako, iwe jaya, pauduku hwako, moyo wako ngaukufadze pamazuva ohujaya hwako; famba nenzira dzomoyo wako, napakuona kwameso ako; asi uzive kuti Mwari uchazokutonga pamusoro paizvozvo zvose.

11:10b.ECC.011.010 Dzinga zvinonetsa pamoyo pako, ubvise zvakaipa panyama yako, nokuti uduku noujaya hazvinamaturo.

12

12:1b.ECC.012.001 Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako, mazuva akaipa asati asvika, namakore asati avapo;

12:2b.ECC.012.002 zuva nechiedza, nomwedzi, nenyeredzi zvisati zvasvibiswa, makore achidzoka kana mvura yapfuura;

12:3b.ECC.012.003 zuva iro, kana vatariri veimba vachidedera, varume vane simba vachikotama, vakuyi vachirega basa ravo, nokuti vava vashoma; navanotarira napamahwindo vasvibirwa;

12:4b.ECC.012.004 mikova ichizarirwa inobudira kunzira dzokumusha, nenzwi rokukuya richidedera; kana achimuka nenzwi reshiri, navaimbi vose vasinganzwiki zvakanaka.

12:5b.ECC.012.005 Zvirokwazvo vachatya zvakakwirira, nezvinotyisa zvichanzi zviri panzira; muamanda uchatumbuka maruva, nemhashu ichazvikwekweredza, uye kuda kwose kuchapera; nokuti munhu anoenda kumusha wake usingaperi, vachemi va chafamba-famba panzira dzomumusha;

12:6b.ECC.012.006 rwonzi rwesirivha rusati rwadamburwa, mbiya yendarama isati yaputswa, chirongo chisati chaputswa patsime, nechichereso chinomonerwa chisati chavhunikira pachitubu,

12:7b.ECC.012.007 guruva risati radzokera kuvhu, sezvarakanga rakaita; uye mweya usati wadzokera kuna Mwari akaupa.

12:8b.ECC.012.008 Zvanzi noMuparidzi, Hazvina maturo chose, zvose hazvina maturo! Itya Mwari uchengete mirairo yake

12:9b.ECC.012.009 Zvino, Muparidzi zvaakanga ari munhu akachenjera, akapfuura achidzidzisa vanhu zivo; akarangarira, nokunzvera, nokurongedza zvirevo zvizhinji.

12:10b.ECC.012.010 Muparidzi wakatsvaka kuti awane mashoko anofadza, uye zvakanyorwa nomoyo wakarurama, ari mashoko ezvokwadi.

12:11b.ECC.012.011 Mashoko avakachenjera akafanana nezvibayiso; sembambo dzakaroverwa kwazvo, ndizvo zvakaita mashoko akaunganidzwa, akapiwa noMufudzi mumwechete.

12:12b.ECC.012.012 Uyezve, mwanakomana wangu, unyeverwe; kuita bhuku zhinji hakuperi, uye kudzidza kuzhinji kunonetsa muviri.

12:13b.ECC.012.013 Zvino shoko guru pazvose zvatanzwa, heri, Itya Mwari, uchengete mirairo yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.

12:14b.ECC.012.014 Nokuti Mwari achatonga basa rimwe nerimwe, pamwechete nezvose zvakavanzika, kunyange zvakanaka, kunyange zvakaipa.


Holder of rights
Multilingual Bible Corpus

Citation Suggestion for this Object
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Ecclesiastes (Shona). Ecclesiastes (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C593-3