Proverbs (Shona)
1
1:1b.PRO.001.001 Zvirevo zvaSoromoni, mwanakomana waDhavhidhi, mambo waIsiraeri.
1:2b.PRO.001.002 Kuti vanhu vazive uchenjeri nokurairirwa; Nokunzwisisa mashoko enjere;
1:3b.PRO.001.003 Varairirwe nzira yokungwara, Neyokururama, nokururamisa, nokutendeka;
1:4b.PRO.001.004 Vasina mano vapiwe kungwara, Jaya ripiwe zivo nokuchenjera;
1:5b.PRO.001.005 Kuti wakachenjera anzwe, awedzere kudzidza; Nomunhu wenjere awane mano akanaka.
1:6b.PRO.001.006 Vanzwisise chirevo nomufananidzo, Mashoko avakachenjera nezvirahwe zvavo. Munhu ngaanzvenge vatadzi vanonyengedzera
1:7b.PRO.001.007 Kutya Jehovha ndiko kuvamba kwezivo; Mapenzi anoshora uchenjeri nokurairirwa.
1:8b.PRO.001.008 Mwanakomana wangu, inzwa kurairira kwababa vako; Usarasha kudzidzisa kwamai vako.
1:9b.PRO.001.009 Nokuti zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako, Nengetani pamutsipa pako.
1:10b.PRO.001.010 Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikugombedzera, Usatenda iwe.
1:11b.PRO.001.011 Kana vachiti, Hendei tose, Ngatirindire ropa; Ngativandire vasina mhosva kunyange pasina mhaka.
1:12b.PRO.001.012 Ngativamedze vari vapenyu seSheori, Vari vakukutu saivo vanoburukira kugomba.
1:13b.PRO.001.013 Tichawana fuma yamarudzi mazhinji; Tichazadza dzimba dzedu nezvatakapamba;
1:14b.PRO.001.014 Iwe uchava mumwe wedu; Tose tichava nechikwama chimwechete.
1:15b.PRO.001.015 Mwanakomana wangu, usafamba navo nenzira yavo; Dzora rutsoka rwako panzira yavo;
1:16b.PRO.001.016 Nokuti tsoka dzavo dzinovangira zvakaipa; Vanokurumidza kudurura ropa.
1:17b.PRO.001.017 Nokuti mumbure unodzikirwa pasina Shiri dzamarudzi ose dzichizviona.
1:18b.PRO.001.018 Vanhu ava vanogarira ropa ravo vamene; Vanozvivandira hupenyu hwavo.
1:19b.PRO.001.019 Ndizvo zvakaitawo nzira dzavose vanokarira fuma; Zvinotorera mwene wazvo upenyu hwake. Uchenjeri hunodana vasina njere
1:20b.PRO.001.020 Uchenjeri unodanidzira panzira dzomumusha; hunonzwisa inzwi rahwo panzvimbo dzakafara;
1:21b.PRO.001.021 hunodana panzvimbo panoungana vazhinji; Pavanopinda pamasuo, Paguta, ndipo pahunotaura mashoko ahwo, huchiti,
1:22b.PRO.001.022 Nhai imi vasina mano, muchada kusava namano kusvikira rinhiko? Nemi vaseki kufarira kuseka kwenyu, Namapenzi kuvenga zivo?
1:23b.PRO.001.023 Dzokai kana muchinzwa kuraira kwangu, Tarirai ndichadurura mweya wangu pamusoro penyu; Ndichakuzivisai mashoko angu.
1:24b.PRO.001.024 Zvandakadana, imi mukaramba; Ndikatambanudza ruoko rwangu, kukasava nomunhu akarangarira;
1:25b.PRO.001.025 Asi makazvidza mano angu ose, Mukaramba chose kuraira kwangu,
1:26b.PRO.001.026 Naizvozvo neniwo ndichaseka kana mava munhamo yenyu; Ndichakudadirai, kana kutya kwenyu kuchisvika.
1:27b.PRO.001.027 Kana kutya kwenyu kuchisvika sedutu guru, Nenhamo yenyu ichisvika sechamupupuri; Kana kutambudzika nokudumbirwa zvichikuwirai.
1:28b.PRO.001.028 Nenguva iyo uchadana kwandiri, asi handingapinduri; Vachanditsvaka zvikuru, asi havangandiwani.
1:29b.PRO.001.029 Zvavakavenga zivo, Vakasazvitsaurira kutya Jehovha,
1:30b.PRO.001.030 Vakaramba mano angu ose, Vakashora kuraira kwangu kwose,
1:31b.PRO.001.031 Naizvozvo vachadya zvibereko zvenzira yavo; Vachagutswa namano avo.
1:32b.PRO.001.032 Nokuti kudzokera shure kwavasina mano kuchavauraya, Kusava nehanya kwamapenzi kuchavaparadza.
1:33b.PRO.001.033 Asi ani naani anonditeerera achagara zvakasimba, Achagadzikana, asingatyi zvakaipa.
2
2:1b.PRO.002.001 Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, Nokuchengeta mirairo yangu kwauri;
2:2b.PRO.002.002 Kuti urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri, Nokurwadza moyo wako, kuti unzwisise;
2:3b.PRO.002.003 Kana ukachemera kunzwisisa, Ukadanidzira nenzwi rako kuti uwane njere;
2:4b.PRO.002.004 Zvirokwazvo kana ukahutsvaka sesirivha, Ukahutsvakisisa sefuma yakavanzwa;
2:5b.PRO.002.005 Ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, Nokuwana zivo yaMwari.
2:6b.PRO.002.006 Nokuti Jehovha ndiye anopa uchenjeri; Mumuromo make munobuda zivo nenjere,
2:7b.PRO.002.007 Unovigira vakarurama uchenjeri chaihwo; Ndiye nhovo yavanofamba muzvokwadi;
2:8b.PRO.002.008 Nokuti anorinda makwara okururamisa, Nokuchengeta nzira yavatsvene vake.
2:9b.PRO.002.009 Ipapo uchanzwisisa kururama nokururamisa, Nokutendeka, idzo nzira dzose dzakanaka.
2:10b.PRO.002.010 Nokuti uchenjeri huchapinda mumoyo mako, Zivo ichafadza mweya wako;
2:11b.PRO.002.011 Kungwara kuchakurindira, Njere dzichakuchengeta;
2:12b.PRO.002.012 Zvikurwire panzira yezvakaipa, Napavanhu vanotaura zvisakarurama;
2:13b.PRO.002.013 Vanorasha makwara okururama, Kuti vafambe nenzira dzerima;
2:14b.PRO.002.014 Vanofarira kuita zvakaipa, Vanofadzwa nokunyengera kwezvakaipa.
2:15b.PRO.002.015 Vane nzira dzakaminama, Vanotsauka pamakwara avo;
2:16b.PRO.002.016 Kuti zvikurwire kumukadzi wokumwe, Kumukadzi mutorwa, anobata kumeso namashoko ake.
2:17b.PRO.002.017 Iye, anorasha shamwari yohumhandara hwake, Achikanganwa sungano yaMwari wake.
2:18b.PRO.002.018 Nokuti imba yake inonyura kurufu, Nenzira dzake kuvakafa;
2:19b.PRO.002.019 Hakuna anopinda kwaari anozodzokazve; Havasviki panzira dzoupenyu;
2:20b.PRO.002.020 Kuti ufambe nenzira yavakanaka, Uchengete makwara avakarurama.
2:21b.PRO.002.021 Nokuti vakarurama vachagara panyika, Vakakwana vachafambirapo.
2:22b.PRO.002.022 Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; Vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.
3
3:1b.PRO.003.001 Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu; Asi moyo wako ngauchengete mirairo yangu;
3:2b.PRO.003.002 Nokuti zvichakuwedzera mazuva mazhinji, Namakore ohupenyu, norugare.
3:3b.PRO.003.003 Rudo nezvokwadi ngazvirege kukusiya; Uzvisungire pamutsipa wako; Uzvinyore pahwendefa romoyo wako;
3:4b.PRO.003.004 Nokudaro uchawana nyasha nenjere dzakanaka Pamberi paMwari navanhu.
3:5b.PRO.003.005 Vimba naJehovha nomoyo wako wose, Urege kusendama panjere dzako.
3:6b.PRO.003.006 Umutende panzira dzako dzose, Agoruramisa makwara ako ose.
3:7b.PRO.003.007 Usazviti ndakachenjera; Itya Jehovha, ubve pane zvakaipa;
3:8b.PRO.003.008 Zvichava mushonga womuviri wako, Nomwongo wamapfupa ako.
3:9b.PRO.003.009 Kudza Jehovha nezvaunazvo, Uye nezvitsva zvazvose zvawakawana;
3:10b.PRO.003.010 Ipapo matura ako achazadzwa nezvakawanda, Makate ako achapfachuka newaini itsva.
3:11b.PRO.003.011 Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha; Usaneta nokuraira kwake.
3:12b.PRO.003.012 Nokuti Jehovha anoraira mudikanwa wake; Sezvinoita baba mwanakomana wavo wavanofarira. Mufaro womunhu, awana uchenjeri
3:13b.PRO.003.013 Munhu, awana uchenjeri, anomufaro, Naiye munhu, anowana njere.
3:14b.PRO.003.014 Nokuti kuhuwana ihwo kunopfuura kuwana sirivha; Nokufuma nahwo kunopfuura kufuma nendarama.
3:15b.PRO.003.015 Hunokosha kupfuura korari; Hakune fuma yako ingaenzaniswa nahwo.
3:16b.PRO.003.016 Mazuva mazhinji ohupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; Muruoko rwahwo rworuboshwe mune fuma nokukudzwa.
3:17b.PRO.003.017 Nzira dzahwo inzira dzezvinofadza; Makwara ahwo ose ndoorugare.
3:18b.PRO.003.018 Ndiwo muti woupenyu kuna vanohunamatira; Mumwe nomumwe anohubata anomufaro.
3:19b.PRO.003.019 Jehovha akateya pasi nouchenjeri; Wakasimbisa kudenga-denga nenjere.
3:20b.PRO.003.020 Mvura iri makadzika yakadzutuka nezivo yake; Denga rose rakadonha dova.
3:21b.PRO.003.021 Mwanakomana wangu, ngazvirege kubva pameso ako; Chengeta uchenjeri chaihwo nokungwara.
3:22b.PRO.003.022 Ipapo zvichava upenyu hwomweya Noukomba pamutsipa wako.
3:23b.PRO.003.023 Ipapo uchafamba nenzira yako wakasimba; Rutsoka rwako harungagumburwi.
3:24b.PRO.003.024 Kana uchivata pasi haungatyi; Uye kana wavata pasi hope dzako dzichava dzakanaka.
3:25b.PRO.003.025 Usatya hako chivhunduso chinokuwira kamwe-kamwe, Kunyange kuparadzwa kwavakaipa, kana kuchisvika;
3:26b.PRO.003.026 Nokuti Jehovha achava chivimbo chako; Achachengeta rutsoka rwako, kuti rurege kubatwa. Munhu ngaave nomoyo murefu nokutendeka
3:27b.PRO.003.027 Munhu, akafanirwa, usaramba kumuitira zvakanaka Kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita.
3:28b.PRO.003.028 Usati kunowokwako, Enda, ugodzokazve, Mangwana ndichakupa; Kana uchinge unazvopo.
3:29b.PRO.003.029 Usafunga kuitira wokwako zvakaipa, Zvaanogara hake newe achikutenda.
3:30b.PRO.003.030 Usarwa nomunhu pasina mhosva, Kana asina kukuitira zvakaipa.
3:31b.PRO.003.031 Usagodora munhu anomanikidza; Usatevera kunyange nomumwe wemitovo yake.
3:32b.PRO.003.032 Nokuti mutsauki inyangadzi kuna Jehovha; Asi ano hukama navakarurama.
3:33b.PRO.003.033 Kutukwa naJehovha kuri mumba mowakaipa; Asi unoropafadza ugaro hwavakarurama.
3:34b.PRO.003.034 Kana vari vadadi, anovadadira, Asi vanozvininipisa anovaitira nyasha.
3:35b.PRO.003.035 Vakachenjera vachagara nhaka yokukudzwa; Asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa. Itya Jehovha, ubve pane zvakaipa;
4
4:1b.PRO.004.001 Imi vanakomana, inzwai kurairira kwababa venyu; Teererai, muzive njere.
4:2b.PRO.004.002 Nokuti ndinokupai dzidziso yakanaka; Regai kurasha murayiro wangu.
4:3b.PRO.004.003 Nokuti ini ndakanga ndiri mwanakomana kuna baba vangu, Mwana oga akadikanwa kwazvo, namai vangu;
4:4b.PRO.004.004 Ivo baba vakandidzidzisa, vakati kwandiri, moyo wako ngaunyatsobata mashoko angu; Chengeta mirairo yangu, urarame.
4:5b.PRO.004.005 Zviwanire uchenjeri, zviwanire njere; Regai kukanganwa kana kutsauka pamashoko omuromo wangu;
4:6b.PRO.004.006 Usahurasha, hugokuchengeta; Uhude, hugokurinda.
4:7b.PRO.004.007 Uchenjeri chinhu chikuru kune zvose; saka uzviwanire uchenjeri; Uzviwanire njere nezvose zvaunazvo.
4:8b.PRO.004.008 Uhukudze, hugokukwiridza iwe; Huchakuvigira kukudzwa, kana uchihumbundikira.
4:9b.PRO.004.009 Huchapa musoro wako chishongo chakanaka; Huchakuisira korona inobwinya.
4:10b.PRO.004.010 Chinzwa iwe mwanakomana wangu, ugamuchire zvandinoreva; Makore oupenyu hwako agova mazhinji.
4:11b.PRO.004.011 Ndakakudzidzisa panzira youchenjeri; Ndakakufambisa pamakwara akarurama.
4:12b.PRO.004.012 Kana uchifamba, tsoka dzako hadzingapinganidzwi; Kana uchimhanya, haungagumburwi.
4:13b.PRO.004.013 Natsa kubata kurairirwa; usakuregedza; Ukuchengete, nokuti ndihwo hupenyu hwako.
4:14b.PRO.004.014 Usapinda pagwara ravakaipa, Usafamba nenzira yavakashata.
4:15b.PRO.004.015 Uinzvenge, usapinda pairi; Tsauka pairi, upfuure hako.
4:16b.PRO.004.016 Nokuti havavati, kana vasingaiti zvakashata; Vanotorerwa hope dzavo, kana vasingagumbusi vamwe.
4:17b.PRO.004.017 Nokuti vanodya zvokudya zvezvakaipa, Nokunwa waini yokumanikidza.
4:18b.PRO.004.018 Asi gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, Chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru.
4:19b.PRO.004.019 Nzira yavakaipa yakaita serima; Havazivi chingavagumbusa.
4:20b.PRO.004.020 Mwanakomana wangu, teerera mashoko angu; Rerekera nzeve yako kune zvandinoreva.
4:21b.PRO.004.021 Urambe uchitarira, Uachengete mukati momoyo wako.
4:22b.PRO.004.022 Nokuti ndihwo hupenyu kuna vanoawana, Noukukutu hwemuviri wavo vose.
4:23b.PRO.004.023 Chengeta moyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; Nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.
4:24b.PRO.004.024 Bvisa kwauri nhema dzomuromo, Kutsauka kwemiromo ngakuve kure newe.
4:25b.PRO.004.025 Meso ako ngaarurame pakutarira; Mafungiro ameso ako ngaatarire mberi kwako.
4:26b.PRO.004.026 Gadzirira tsoka dzako gwara; Nzira dzako dzose dzive dzakasimba.
4:27b.PRO.004.027 Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe; Rutsoka rwako urubvise pane zvakaipa.
5
5:1b.PRO.005.001 Mwanakomana wangu, teerera uchenjeri hwangu; Rerekera nzeve yako inzwe njere dzangu;
5:2b.PRO.005.002 Kuti ugare wakabata kungwara, Nemiromo yako ichengete zivo.
5:3b.PRO.005.003 Nokuti miromo yomukadzi wokumwe inodonha huchi; Muromo wake unotedza kupfuura mafuta;
5:4b.PRO.005.004 Asi pakupedzisira unovava segavakava; Unopinza somunondo une nhivi mbiri dzinocheka.
5:5b.PRO.005.005 Tsoka dzake dzinoburukira kurufu; Nhambwe dzake dzinovavarira kuhwiro;
5:6b.PRO.005.006 Gwara roupenyu, rakati chechetere, haariwani, Nzira dzake dzinotsauka, iye asingazvizivi.
5:7b.PRO.005.007 Saka imi, vanakomana vangu, nditeererei; Regai kutsauka pamashoko omuromo wangu.
5:8b.PRO.005.008 Nzira yako ngaive kure naye, Usaswedera pamukova weimba yake.
5:9b.PRO.005.009 Kuti urege kupa vamwe kunaka kwohujaya hwako, Namakore ako kuno anomoyo mukukutu;
5:10b.PRO.005.010 Kuti vatorwa varege kugutswa nefuma yako, Nezvibereko zvokutambura kwako zviende kumba kwomweni.
5:11b.PRO.005.011 Iwe ugochema pakupedzisira kwako, Kana nyama yako nomuviri wako zvaparadzwa,
5:12b.PRO.005.012 Uchiti, Ndakavengereiko kurairirwa, moyo wangu wakashorerei kurairwa?
5:13b.PRO.005.013 Ndakaregereiko kuteerera inzwi ravadzidzisi vangu, Nokusarerekera nzeve yangu kuna vaindiraira?
5:14b.PRO.005.014 Ndakanga ndapinda pane zvakaipa zvose, Pakati pechaunga neungano.
5:15b.PRO.005.015 Inwa mvura padziva rako chairo, Nemvura inoyerera patsime rako chairo.
5:16b.PRO.005.016 Ko matsime ako anofanira kuparadzirwa here, Nzizi dzemvura dziyerere munzira dzomumusha here?
5:17b.PRO.005.017 Ngazvive zvako woga, Zvisava zvavatorwa pamwechete newe.
5:18b.PRO.005.018 Tsime rako ngariropafadzwe; Ufarire mukadzi wohujaya hwako.
5:19b.PRO.005.019 Sehadzi yenondo yakanaka, nehadzi yengururu inofadza; Mazamu ake ngaakufadze nguva dzose; Ugare uchigutiswa norudo rwake.
5:20b.PRO.005.020 Nokuti iwe, mwanakomana wangu, uchagutsirweiko nomukadzi wokumwe, Uchambundikireiko chipfuva chomweni?
5:21b.PRO.005.021 Nokuti nzira dzomunhu dziri pamberi paJehovha; Ndiye anoyera makwara ake ose.
5:22b.PRO.005.022 Zvivi zvake zvichabata muiti wazvo, Achabatwa namabote ezvivi zvake.
5:23b.PRO.005.023 Achafa nokushaiwa kurairirwa; Achatsauka noukuru hwoupenzi hwake.
6
6:1b.PRO.006.001 Mwanakomana wangu, kana uchinge wakazviitira wokwako rubatso, Wazvisunga nokuda kwomutorwa noruoko rwako,
6:2b.PRO.006.002 Wazviteya namashoko omuromo wako, Wabatwa namashoko omuromo wako,
6:3b.PRO.006.003 Zvino ita kudai, mwanakomana wangu, uzvirwire, Zvawabatwa noruoko rwowokwako, Enda, undozvininipisa, ukumbire zvikuru kunowokwako.
6:4b.PRO.006.004 Usatendera meso ako hope, Kana mafungiro ameso ako kutsumwaira;
6:5b.PRO.006.005 Uzvirwire semhara paruoko rwomuvhimi, Seshiri paruoko rwomuteyi. Simbe inotukwa
6:6b.PRO.006.006 Enda kumujuru, iwe simbe; Cherekedza nzira dzawo ugova wakachenjera!
6:7b.PRO.006.007 Kunyange iwo usina mutongi, Kana mutariri kana mubati,
6:8b.PRO.006.008 Unogadzira zvokudya zvawo muzhizha, Nokuunganidza zvokudya zvawo mukukohwa.
6:9b.PRO.006.009 Iwe simbe, uchavata pasi kusvikira rinhiko? Uchamuka rinhiko pahope dzako?
6:10b.PRO.006.010 Kumbovata zvishomanene, kumbotsumwaira zvishomanene, Kumbofungatira maoko zvishomanene, ndizorore;
6:11b.PRO.006.011 Saizvozvo urombo hwako huchasvika segororo, Nokushaiwa kwako somunhu wakashonga nhumbi dzokurwa. Zvinovengwa naMwari
6:12b.PRO.006.012 Munhu asina maturo, munhu anoita zvakaipa, Ndiye anofamba nomuromo une nhema;
6:13b.PRO.006.013 Anobwaira nameso ake, anotendekera netsoka dzake, Anodudzira neminwe yake;
6:14b.PRO.006.014 Ane zvisakarurama pamoyo pake, Anosifungira vamwe zvakaipa, Anokusha kupesana.
6:15b.PRO.006.015 Saka njodzi yake ichamuwira kamwe-kamwe; Achavhuniwa pakarepo, kusina chingamubatsira.
6:16b.PRO.006.016 Zvinhu zvitanhatu zviriko zvinovengwa naJehovha; Zvirokwazvo, tingati kune zvinomwe, zvinomunyangadza, zvinoti:
6:17b.PRO.006.017 Meso ounozvikudza, rurimi runoreva nhema, Maoko anodurura ropa risina mhaka;
6:18b.PRO.006.018 moyo unofunga mano akaipa, Tsoka dzinokurumidza kuvangira zvakashata;
6:19b.PRO.006.019 Chapupu chinonyengera chinoreva nhema, Uye anokusha kupesana pakati pehama. Kushata kwoupombwe
6:20b.PRO.006.020 Mwanakomana wangu, chengeta murayiro wababa vako; Usarasha kudzidzisa kwamai vako.
6:21b.PRO.006.021 Uzvisungire nguva dzose pamoyo wako; Uzvishonge pamutsipa wako.
6:22b.PRO.006.022 Kana uchifamba, zvichakutungamirira; Kana uchivata pasi, zvichakurinda; Kana womuka, zvichataurirana newe.
6:23b.PRO.006.023 Nokuti murayiro ndiwo mwenje; murau ndicho chiedza; Kuraira kwokurairirwa inzira youpenyu;
6:24b.PRO.006.024 Kuti uchengetwe pamukadzi wakaipa, Pakubata kumeso kworurimi rwomutorwa.
6:25b.PRO.006.025 Usachiva kunaka kwake mumoyo mako; Arege kukubata namafungiro ameso ake.
6:26b.PRO.006.026 Nokuti nokuda kwechifeve munhu angasvikira pakudya chimedu bedzi chechingwa; Mukadzi womumwe munhu anovhima upenyu hunokosha.
6:27b.PRO.006.027 Ko munhu ungaisa moto muchipfuva chake, nguvo dzake dzikasatsva here?
6:28b.PRO.006.028 Kana munhu angatsika mazimbe anopisa, Tsoka dzake dzikasapiswa here?
6:29b.PRO.006.029 Ndizvo zvakaita munhu anopinda kumukadzi wowokwake; Ani naani anomunyangata iye mukadzi haangaregwi kurohwa.
6:30b.PRO.006.030 Vanhu havangazvidzi mubi kana achiba Kuti agute kana achinge ane nzara.
6:31b.PRO.006.031 Asi kana akabatwa anofanira kudzosera zvava zvinomwe; Anofanira kuripa nefuma yose yeimba yake.
6:32b.PRO.006.032 Anoita upombwe nomukadzi, anoshaiwa njere; Anoda kuparadza upenyu hwake ndiye anoita izvozvo.
6:33b.PRO.006.033 Uchangozviwanira mavanga nokusakudzwa; Kunyadziswa kwake hakungatongopusikwi.
6:34b.PRO.006.034 Nokuti godo rinomutsa hasha dzomurume; Haanganzwiri tsitsi pazuva rokutsiva.
6:35b.PRO.006.035 Haangavi nehanya nomuripo; Haangatendi, kunyange ukamuvigira zvipo zvizhinji.
7
7:1b.PRO.007.001 Mwanakomana wangu, chengeta mashoko angu, Viga mirairo yangu kwauri.
7:2b.PRO.007.002 Chengeta mirairo yangu, urarame; Nomurau wangu semboni yeziso rako.
7:3b.PRO.007.003 Uzvisungire pamweya wako; Uzvinyore pahwendefa romoyo wako.
7:4b.PRO.007.004 Uti kuuchenjeri, Ndiwe hanzvadzi yangu; Utumidze njere shamwari yako;
7:5b.PRO.007.005 Kuti zvikuchengete pamukadzi wokumwe, Pamutorwa anobata kumeso namashoko ake.
7:6b.PRO.007.006 Nokuti ndakatarira pahwindo reimba yangu, Pahutanda hwehwindo rangu;
7:7b.PRO.007.007 Ndikatarira pakati pavasina mano, Ndikaona pakati pamajaya. Rimwe jaya rakashaiwa njere;
7:8b.PRO.007.008 Richipfuura nenzira yomumusha pedo nekona yeimba yomukadzi
7:9b.PRO.007.009 Nenguva yorubvunzavaeni, nenguva yamadeko ezuva, Pakati pousiku kwasviba.
7:10b.PRO.007.010 Zvino tarira, mukadzi akasangana naye, Akanga akafuka sechifeve, anokunyengedzera pamoyo.
7:11b.PRO.007.011 Anopupira, achiita sezvaanoda; Tsoka dzake hadzigari mumba make;
7:12b.PRO.007.012 Imwe nguva ari munzira dzomumusha, imwe nguva pamatare; Anorindira pamakona ose.
7:13b.PRO.007.013 Zvino iye akamubata, akamutsvoda; Akataura naye nechiso chisina kunyara, akati kwaari,
7:14b.PRO.007.014 Ndaifanira kuuya nezvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, Nhasi ndaripa mhiko dzangu.
7:15b.PRO.007.015 Saka ndabuda kuzokuchingamidza, Nditsvake chiso chako zvikuru, zvino ndakuwana.
7:16b.PRO.007.016 Ndakawarira machira anohukomba pamubhedha wangu, Nemicheka ina mavara inobva Ijipiti.
7:17b.PRO.007.017 Ndakasasa zvinonhuwira pamubhedha wangu, Mura, negavakava, nekinamoni.
7:18b.PRO.007.018 Uya tigute nokudana kusvikira mangwanani; Ngatizvifadze nokudana kukuru.
7:19b.PRO.007.019 Nokuti murume haapo pamusha; Akafamba rwendo rukuru;
7:20b.PRO.007.020 Akaenda nehombodo ine mari; Achadzoka pajenaguru.
7:21b.PRO.007.021 Nokutaura kwake kuzhinji kwakanaka anomutsausa, Anomugombedzera nokubata kumeso kwemiromo yake.
7:22b.PRO.007.022 Anomutevera pakarepo, Senzombe inoenda kwainondobayiwa, Kana sebenzi rakasungwa rinoenda kundorangwa;
7:23b.PRO.007.023 Kusvikira museve wabaya chiropa chake; Seshiri inokurumidzira kurugombe, Asingazivi kuti zvinovinga upenyu hwake.
7:24b.PRO.007.024 Zvino vanakomana vangu, nditeererei, Inzwai mashoko omuromo wangu.
7:25b.PRO.007.025 moyo wako ngaurege kutsaukira kunzira dzake; Usafamba-famba mumakwara ake.
7:26b.PRO.007.026 Nokuti akawisira pasi vazhinji vakakuvadzwa; Zvirokwazvo, vakaurawa naye vazhinji kwazvo.
7:27b.PRO.007.027 Imba yake inzira dzinoenda Sheori, Dzinoburukira kudzimba dzorufu.
8
8:1b.PRO.008.001 Ko Uchenjeri hahudanidziri here? Nenjere hadzibudisi manzwi adzo here?
8:2b.PRO.008.002 Pamusoro pemitunhu panzira, Pamharadzano dzenzira, ndipo pahumire;
8:3b.PRO.008.003 Parutivi rwamasuo, panopindwa paguta, Pavanopinda pamikova, ndipo pahunodanidzira; huchiti,
8:4b.PRO.008.004 Ndinodanidzira kwamuri, imi varume, Inzwi rangu rinodana vanakomana vavanhu.
8:5b.PRO.008.005 nzwisisai uchenjeri, imi vasina mano; Imi mapenzi, ivai nomoyo une njere.
8:6b.PRO.008.006 Inzwai, nokuti ndichataura zvinhu zvakaisvonaka; Nokuti miromo yangu ichashamira zvinhu zvakarurama.
8:7b.PRO.008.007 Nokuti muromo wangu unobudisa zvokwadi; Chinhu chakaipa chinonyangadza pamiromo yangu.
8:8b.PRO.008.008 Mashoko ose omuromo wangu akarurama; Hakuna chinhu chakakombama kana chisakarurama maari;
8:9b.PRO.008.009 Zvose zviri pachena kuno anenjere; Zvakarurama kuna ivo vakawana zivo.
8:10b.PRO.008.010 Gamuchirai kuraira kwangu, murege kugamuchira sirivha; Nezivo, kupfuura ndarama yakasarurwa.
8:11b.PRO.008.011 Nokuti uchenjeri hwakanaka kupfuura korari; Zvose zvinodikanwa nomunhu hazvingaenzaniswi nahwo.
8:12b.PRO.008.012 Ini uchenjeri ndakaita kungwara imba yangu, Ndinowana zivo namano akarurama.
8:13b.PRO.008.013 Kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa; Kuzvikudza namanyawi nenzira yakaipa, Nomuromo unonyengedzera, ndinozvivenga.
8:14b.PRO.008.014 Ndine zano rakanaka nokubata kwakakwana; Ndini kuchenjera; ndine simba.
8:15b.PRO.008.015 Madzimambo anobata ushe neni, Vabati vanotonga vanhu neni.
8:16b.PRO.008.016 Madzishe anofambisa ushe neni, Navakuru, ivo vatongi vose vapasi.
8:17b.PRO.008.017 Ndinoda vanondida; Vanonditsvaka nomoyo wose vachandiwana.
8:18b.PRO.008.018 fuma nokukudzwa zvineni, Zvinokosha zvakaisvonaka nokururama.
8:19b.PRO.008.019 Zvibereko zvangu zvakanaka kupfuura ndarama, kunyange ndarama yakaisvonaka; Zvandinowana zvinopfuura sirivha yakasarurwa.
8:20b.PRO.008.020 Ndinofamba nenzira yokururama, Mukati mamakwara okururamisa;
8:21b.PRO.008.021 Kuti ndigarise nhaka vanondida, Ndizadze zvivigiro zvefuma yavo.
8:22b.PRO.008.022 Jehovha akandiumba pakuvamba kwenzira yake, Kutangira mabasa ake akare.
8:23b.PRO.008.023 Ini ndakamiswa kubva pakusingaperi, kubva pakutanga, Pasi pasati pasikwa.
8:24b.PRO.008.024 Makungwa asati avapo, ini ndakaberekwa; Pasina matsime ane mvura zhinji.
8:25b.PRO.008.025 Makomo asati anyudzwa, Zvikomo zvisipo, ini ndakaberekwa;
8:26b.PRO.008.026 Iye asati aumba pasi namapani, Kana guruva rokutanga renyika.
8:27b.PRO.008.027 Panguva yaakagadzira kudenga-denga, ndakanga ndiripo; Pakuisa kwake denderedzwa pamusoro pamakungwa;
8:28b.PRO.008.028 Panguva yaakasimbisa denga rose kumusoro, Pakusimba kwamatsime amakungwa;
8:29b.PRO.008.029 Panguva yaakaitira gungwa miganho yaro, Kuti mvura irege kudarika murayiro wake, Pakutara kwake nheyo dzapasi;
8:30b.PRO.008.030 Nenguva iyo ndaiva naye, ndiri mhizha; Ndaimufadza zuva rimwe nerimwe, Ndichitamba pamberi pake nguva dzose,
8:31b.PRO.008.031 Ndichitamba panyika yake, Ndichifadzwa navanakomana vavanhu.
8:32b.PRO.008.032 Saka zvino vanakomana vangu, nditeererei; Nokuti vanochengeta nzira dzangu vakaropafadzwa.
8:33b.PRO.008.033 Inzwai kurairira muve vakachenjera, Regai kukuramba.
8:34b.PRO.008.034 Munhu, anondinzwa, akaropafadzwa, Anorinda zuva rimwe nerimwe pamasuo angu, Anomira pazvivivo zvemikova yangu.
8:35b.PRO.008.035 Nokuti andiwana, awana hupenyu, Achapiwa nyasha naJehovha.
8:36b.PRO.008.036 Asi anondishaiwa, anotadzira mweya wake;
9
9:1b.PRO.009.001 Uchenjeri hwakavaka imba yahwo; Hwakaveza mbiru dzahwo nomwe;
9:2b.PRO.009.002 Hwakabaya zvipfuwo zvahwo; Hwakavhenganisa waini yahwo; Hwakagadzirawo tafura yahwo.
9:3b.PRO.009.003 Hwakatuma varandakadzi vahwo; hunodanidzira pamitunhu yeguta, huchiti,
9:4b.PRO.009.004 Asina mano ngaatsaukire muno; Asina njere, hunoti kwaari,
9:5b.PRO.009.005 Uyai mudye chingwa changu, Munwe waini yandakavhenganisa.
9:6b.PRO.009.006 Regai kusasvinuka murarame; Mufambe nenzira yenjere.
9:7b.PRO.009.007 Munhu, anoraira mudadiri anozvitsvakira kunyadziswa; Anotuka munhu wakaipa achasvibiswa.
9:8b.PRO.009.008 Usaraira mudadiri, kuti arege kukuvenga; Raira munhu wakachenjera, iye achakuda.
9:9b.PRO.009.009 Ipa wakachenjera dzidzo, ipapo iye achawedzerwa huchenjeri; Dzidzisa wakarurama, ipapo iye achawedzerwa zivo.
9:10b.PRO.009.010 Kuvamba kwouchenjeri ndiko kutya Iehovha., Kuziva Mutsvene ndidzo njere.
9:11b.PRO.009.011 Nokuti neni mazuva ako achaitwa mazhinji, Makore oupenyu hwako achawedzerwa.
9:12b.PRO.009.012 Kana wakachenjera, iwe, wakazvichenjerera hako; Kana uri mudadiri, iwe woga uchava nemhosva yazvo.
9:13b.PRO.009.013 Mukadzi benzi anopupira; Haana mano, haazivi chinhu.
9:14b.PRO.009.014 Anogara pamukova weimba yake, Pachigaro pamitunhu yeguta.
9:15b.PRO.009.015 Kuti adanidzire kuna vanopfuura napo, Ivo vanorurama nenzira dzavo, achiti,
9:16b.PRO.009.016 Ani naani asina mano, ngaatsaukire muno; Asine njere, mukadzi anoti kwaari,
9:17b.PRO.009.017 Mvura yabiwa inozipa, Chingwa chinodyiwa pakavanda chinonaka.
9:18b.PRO.009.018 Asi haazivi kuti vanopindamo vanofa; Kuti vakakokerwa naye vari mukati-kati meSheori.
10
10:1b.PRO.010.001 Zvirevo zvaSoromoni. Mwanakomana, akachenjera, anofadza baba; Asi mwanakomana benzi anoshuwisa mai vake.
10:2b.PRO.010.002 fuma yakawanikwa nezvakaipa haibatsiri chinhu; Asi kururama kunorwira parufu.
10:3b.PRO.010.003 Jehovha haangatenderi mweya wowakarurama kuti unzwe nzara; Asi kupanga kwavakaipa unokusundira kure.
10:4b.PRO.010.004 Anobata noruoko rusine hanya, achava murombo; Asi ruoko rweasina usimbe runofumisa.
10:5b.PRO.010.005 Anounganidza muzhezha, ndiye mwanakomana wakachenjera; Asi anovata hope mukukohwa, mwanakomana anonyadzisa.
10:6b.PRO.010.006 Mikomborero iri pamusoro wowakarurama; Asi muromo wowakaipa unovanza kumanikidza.
10:7b.PRO.010.007 Kuyeukwa kwowakarurama kunovigira kuropafadzwa, Asi zita rowakaipa richaora.
10:8b.PRO.010.008 Ane moyo wakachenjera, achagamuchira mirairo; Asi ane miromo youpenzi achawisirwa pasi.
10:9b.PRO.010.009 Anofamba zvakarurama, anofamba zvakasimba; Asi anominamisa nzira dzake, achazikanwa.
10:10b.PRO.010.010 Anochonya neziso rake, anouyisa madambudzo; Asi ane miromo youpenzi, achawisirwa pasi.
10:11b.PRO.010.011 Muromo wowakarurama itsime roupenyu; Asi muromo wowakaipa unovanza kumanikidza.
10:12b.PRO.010.012 Mbengo dzinomutsa kukakavara; Asi rudo runofukidza kudarika kwose.
10:13b.PRO.010.013 Pamiromo yeane njere panowanikwa uchenjeri; Asi shamhu yakafanira musana woanoshaiwa njere.
10:14b.PRO.010.014 Vakachenjera vanozvichengetera zivo; Asi muromo webenzi uri pedo nokuparadzwa.
10:15b.PRO.010.015 fuma yomufumi ndiro guta rake rakasimba; Zvinoparadza varombo ndihwo urombo hwavo.
10:16b.PRO.010.016 Zvaakabatira zvinoisa wakarurama kuupenyu; Zvakawanikwa nowakaipa zvinoisa kuzvivi.
10:17b.PRO.010.017 Anoteerera kurairirwa, ari panzira youpenyu; Asi anoramba kurairwa, anotsausa vamwe.
10:18b.PRO.010.018 Anovanza kuvenga, ane miromo yenhema; Ana makuhwa, ibenzi.
10:19b.PRO.010.019 Kudarika hakungakoni pamunhu anamashoko mazhinji; Asi anodzora miromo yake, ano huchenjeri.
10:20b.PRO.010.020 Rurimi rwowakarurama rwakafanana nesirivha yakasarurwa; moyo wowakaipa haubatsiri chinhu.
10:21b.PRO.010.021 Miromo yowakarurama inosimbisa vazhinji; Asi mapenzi anofa nokushaiwa zivo.
10:22b.PRO.010.022 Kuropafadza kwaJehovha ndiko kunofumisa; Kutambura pabasa hakuwedzeri chinhu.
10:23b.PRO.010.023 Benzi rinoti kuita zvakaipa kutamba; Ndizvo zvinoitawo uchenjeri kuno ane njere.
10:24b.PRO.010.024 Zvinotyiwa nowakaipa, ndizvo zvichamuwira; Asi wakarurama achapiwa zvaanoda.
10:25b.PRO.010.025 Kana chamupupuri chapfuura, wakaipa haachipo; Asi wakarurama ane nheyo dzisingaperi.
10:26b.PRO.010.026 Sezvinoita vhininga pameno, noutsi pameso, Ndizvo zvakaita simbe kuna vanomutuma.
10:27b.PRO.010.027 Kutya Jehovha kunowedzera mazuva; Asi makore owakaipa achatapudzwa.
10:28b.PRO.010.028 Tariro yavakarurama mufaro; Asi kutarira kwavakaipa kuchaparadzwa.
10:29b.PRO.010.029 Nzira yaJehovha inhare kunowakarurama; Asi ndiko kuparadzwa kuna vanoita zvakaipa.
10:30b.PRO.010.030 Wakarurama haangatongozununguswi nokusingaperi; Asi vakaipa havangarambi vagere panyika.
10:31b.PRO.010.031 Muromo wowakarurama unobudisa uchenjeri; Asi rurimi rune nhema ruchabviswa.
10:32b.PRO.010.032 Miromo yowakarurama inoziva zvinofadza; Asi muromo wowakaipa unotaura zvine nhema.
11
11:1b.PRO.011.001 Chiyero chinonyengedzera chi nonyangadza kuna Jehovha; Asi kurema kwakakwana kunomufadza.
11:2b.PRO.011.002 Kana kuzvikudza kuchisvika, kunyadziswa kwasvikawo; Asi uchenjeri huri kuna vanozvininipisa.
11:3b.PRO.011.003 Kusanyengedzera kwavakarurama kuchavatungamirira; Asi kusarurama kwavanonyengedzera kuchavaparadza.
11:4b.PRO.011.004 fuma haibatsiri chinhu nezuva rokutsamwa; Asi kururama kunorwira parufu.
11:5b.PRO.011.005 Kururama kwowakakwana kucharuramisa nzira yake; Asi wakaipa uchawiswa nezvakaipa zvake.
11:6b.PRO.011.006 Kururama kwavakarurama kuchavarwira; Asi vanonyengedzera vachabatwa nezvakashata zvavo.
11:7b.PRO.011.007 Kana munhu wakaipa achifa, zvaanotarira zvichaparadzwa; Tariro yavakashata inoparadzwa.
11:8b.PRO.011.008 Wakarurama anorwirwa pakutambudzika; Wakaipa anopinda pachigaro chake.
11:9b.PRO.011.009 Wakashata anoparadza wokwake nomuromo wake; Asi wakarurama acharwirwa nezivo.
11:10b.PRO.011.010 Kana vakarurama vachipfuurira mberi zvakanaka, guta rinofara kwazvo; Kana vakaipa vachiparadzwa, kunopururudzwa.
11:11b.PRO.011.011 Nokuropafadzwa kwavakarurama guta rinokudzwa; Asi rinoputswa nemiromo yavakaipa.
11:12b.PRO.011.012 Anoninipisa wokwake anoshaiwa uchenjeri; Asi munhu ane njere anoramba anyerere.
11:13b.PRO.011.013 Anofamba ana makuhwa, anobudisa zvakavanda; Asi ano moyo wakatendeka, anofukidza mhaka.
11:14b.PRO.011.014 Kana vanhu vasingatungamirirwi nouchenjeri, vanoderera; Asi pavarairiri vazhinji ndipo panoruponeso.
11:15b.PRO.011.015 Wakazviita rubatso pamusoro pomutorwa, achaona nhamo nokuda kwazvo; Asi anovenga kuzviita rubatso, ndiye wakasimba.
11:16b.PRO.011.016 Mukadzi muuya anokudzwa; Vakasimba vanochengeta fuma dzavo.
11:17b.PRO.011.017 Munhu ane ngoni, anoitira mweya wake zvakanaka; Asi asina tsitsi anotambudza nyama yake.
11:18b.PRO.011.018 Wakaipa anopiwa mubayiro wokunyengedzera; Asi anokusha kururama achawana mubayiro wazvokwadi.
11:19b.PRO.011.019 Kururama kwazvokwadi kunoisa kuupenyu; Asi anotevera zvakaipa, anovinga rufu rwake.
11:20b.PRO.011.020 Vane moyo yakatsauka vanonyangadza Jehovha; Asi vanofamba nenzira yakarurama vanomufadza.
11:21b.PRO.011.021 Zvirokwazvo, wakaipa haangakoni kurohwa; Asi vana vavakarurama vacharwirwa.
11:22b.PRO.011.022 Sezvakaita chindori chendarama mumhino dzenguruve, Ndizvo zvakaita mukadzi wakanaka kumeso asina kungwara.
11:23b.PRO.011.023 Zvinodikanwa navakarurama zvakanaka bedzi; Asi vakaipa vanomirirwa nokutsamwa.
11:24b.PRO.011.024 Mumwe ariko anoparadzira, achiwedzerwa; Uye ariko anonyima zvaakafanira kupa, asi zvinongomushaisa.
11:25b.PRO.011.025 Chipavhurire achakodzwa; Uye anodiridza achadiridzwawo.
11:26b.PRO.011.026 Unonyima zviyo, vanhu vachamutuka; Asi mikomborero ichava pamusoro woanozvitengesa.
11:27b.PRO.011.027 Anoshingairira zvinhu zvakanaka, anotsvaka zvinofadza; Asi anotsvaka zvakashata, achasvikirwawo nazvo.
11:28b.PRO.011.028 Anovimba nefuma yake, achawa; Asi vakarurama vachanaka seshizha nyoro.
11:29b.PRO.011.029 Anotambudza imba yake, achagara nhaka yemhepo; Benzi richava muranda woanomoyo wakachenjera.
11:30b.PRO.011.030 Zvibereko zvowakarurama muti womupenyu; Unobata mweya yavanhu ndiye wakachenjera.
11:31b.PRO.011.031 Tarirai, wakarurama achapiwa mubayiro panyika; Ndoda wakaipa nomutadzi!
12
12:1b.PRO.012.001 Anoda kurairirwa, anoda zivo; Asi anovenga kurairwa ibenzi.
12:2b.PRO.012.002 Munhu akanaka achawana nyasha kuna Jehovha, Asi achapa mhosva munhu ana mano akaipa.
12:3b.PRO.012.003 Munhu haangasimbiswi nezvakaipa; Asi mudzi wowakarurama haungazununguswi.
12:4b.PRO.012.004 Mukadzi anoita zvakanaka, ikorona yomurume wake; Asi anonyadzisa, wakaita sezvakaora pamapfupa ake.
12:5b.PRO.012.005 Mifungo yowakarurama yakarurama; Asi mano avakaipa anonyengedzera.
12:6b.PRO.012.006 Mashoko avakaipa ndookuvandira ropa; Asi muromo wavakarurama uchavarwira.
12:7b.PRO.012.007 Vanhu vakaipa vanotsindikirwa, havachipo; Asi imba yavakarurama icharamba imire.
12:8b.PRO.012.008 Munhu acharumbidzwa zvakaenzana nouchenjeri hwake; Asi ane moyo akatsauka, achazvidzwa.
12:9b.PRO.012.009 Munhu anoninipiswa, ane muranda hake, Anopfuura anozvikudza, asina zvokudya.
12:10b.PRO.012.010 Akarurama ane hanya noupenyu hwechipfuwo chake; Asi tsitsi dzowakaipa ihasha.
12:11b.PRO.012.011 Anorima munda wake, achava nezvokudya zvizhinji; Asi anotevera zvisina maturo, anoshaiwa njere.
12:12b.PRO.012.012 Akaipa anopanga zvaangapamba kuna vakashata; Asi mudzi wavakaipa unobereka zvibereko.
12:13b.PRO.012.013 Pakudarika kwemiromo panomusungo wavakaipa; Asi akarurama achabuda panhamo
12:14b.PRO.012.014 Munhu achagutiswa nezvakanaka zvinobva pazvibereko zvomuromo wake; Uye munhu achadzoserwa zvaakaita namaoko ake.
12:15b.PRO.012.015 Nzira yebenzi yakanaka pakuona kwake; Asi akachenjera anoteerera kana achirairwa.
12:16b.PRO.012.016 Kutsamwa kwebenzi kunozikanwa pakarepo; Asi akachenjera anovanza kunyadziswa kwake
12:17b.PRO.012.017 munhu anoreva zvokwadi anoparidza zvakarurama; Asi chapupu chenhema chinoparidza kunyengedzera.
12:18b.PRO.012.018 Mumwe ariko anotaura nokusarangarira zvinobaya somunondo; Asi rurimi rwowakachenjera runoporesa.
12:19b.PRO.012.019 Muromo wezvokwadi uchasimbiswa nokusingaperi; Asi rurimi rune nhema runongogara chinguva chiduku.
12:20b.PRO.012.020 Kunyengedzera kuri mumoyo yavanofunga mano akaipa, Asi vanorairira zvorugare vanomufaro.
12:21b.PRO.012.021 Akarurama haangatongowirwi nechakaipa; Asi vakaipa vachazadzwa nezvakashata.
12:22b.PRO.012.022 Miromo, ine nhema, inonyangadza Jehovha; Asi vanoita nokutendeka vanomufadza.
12:23b.PRO.012.023 Munhu akachenjera anovanza zivo; Asi moyo yamapenzi inoparidza upenzi.
12:24b.PRO.012.024 Ruoko rwavasine usimbe ruchabata ushe; Asi vane usimbe vachabatiswa chibharo.
12:25b.PRO.012.025 Kutambudzika pamoyo womunhu kunouremedza; Asi shoko nyoro rinoufadza.
12:26b.PRO.012.026 Akarurama anoperekedza wokwake zvakanaka; Asi nzira yowakaipa inovarashisa.
12:27b.PRO.012.027 Simbe haibati mhuka yayamutsa, Asi kusava neusimbe ifuma yomunhu.
12:28b.PRO.012.028 Panzira yakarurama ndipo panoupenyu; Kwainoenda hakuna rufu.
13
13:1b.PRO.013.001 Mwanakomana akachenjera anoteerera kuraira kwababa vake; Asi mudadiri haanzwi kana achitukwa.
13:2b.PRO.013.002 Munhu achadya zvakanaka zvinobva pazvibereko zvomuromo wake; Asi vanoita nokunyengedzera vanofarira kumanikidza.
13:3b.PRO.013.003 Anorindira muromo wake, anochengeta hupenyu hwake; Asi anoshamisa miromo yake, achaparadzwa.
13:4b.PRO.013.004 Mweya wesimbe unopanga, asi unoshaiwa; Asi mweya yavasina usimbe ichakodzwa.
13:5b.PRO.013.005 Akarurama anovenga nhema; Asi akaipa, anonyangadza, achanyadziswa.
13:6b.PRO.013.006 Kururama kunochengeta akarurama pakufamba kwake; Asi kuipa kunowisira mutadzi pasi.
13:7b.PRO.013.007 Mumwe ariko anozviti ndiri mufumi, kunyange asina chinhu; Mumwe ariko unozviti ndiri murombo, asi ane fuma zhinji.
13:8b.PRO.013.008 Rudzikunuro rwoupenyu hwomunhu ifuma yake; Asi murombo haanzwi kutyityidzira.
13:9b.PRO.013.009 Chiedza chavakarurama chinopenya kwazvo; asi mwenje wavakaipa uchadzimwa.
13:10b.PRO.013.010 Kuzvikudza kunongouyisa kukakavara; Asi uchenjeri huri kuna vanotenda kurairirwa.
13:11b.PRO.013.011 fuma, yakawanikwa nokukurumidza, ichatapudzwa; Asi anounganidza noruoko, zvichawedzerwa kwaari.
13:12b.PRO.013.012 Tariro kana ichinonoka, inoodza moyo; Asi kana chapangwa chosvika, ndiwo muti woupenyu.
13:13b.PRO.013.013 Anozvidza Shoko, asungwa naro; Asi anotya murayiro, achapiwa mubayiro.
13:14b.PRO.013.014 Kudzidzisa kwowakachenjera itsime roupenyu; Kuti munhu apukunyuke pamisungo yorufu.
13:15b.PRO.013.015 Njere dzakanaka dzinouyisa kufarirwa navanhu; Asi nzira yavatadzi ihukutu.
13:16b.PRO.013.016 Mumwe nomumwe, akangwara, anoita nokuziva, Asi benzi rinokusha upenzi hwarwo.
13:17b.PRO.013.017 Nhume yakaipa inowira munjodzi; Asi munyai anotendwa anoporesa.
13:18b.PRO.013.018 Urombo nokunyadziswa ndiwo mubayiro woanoramba kurairirwa; Asi anoteerera kurairwa achakudzwa.
13:19b.PRO.013.019 Kana zvinodikanwa zvaitwa, zvinozipa pamweya; Asi mapenzi anonyangadzwa kana achisiyana nezvakashata.
13:20b.PRO.013.020 Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; Asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.
13:21b.PRO.013.021 Zvakaipa zvichatevera vatadzi; Asi vakarurama vacharipirwa nezvakanaka.
13:22b.PRO.013.022 Munhu, akanaka, achasiyira vana vavana vake nhaka; Asi fuma yomutadzi inochengeterwa akarurama.
13:23b.PRO.013.023 Munda womurombo ane zvokudya zvizhinji; Asi mumwe ariko anoparadzwa nokuda kwokusarurama.
13:24b.PRO.013.024 Anorega shamhu anovenga mwanakomana wake; Asi anomuda, anomuranga zvakanaka.
13:25b.PRO.013.025 Akarurama anodya kusvikira agutisa mweya wake; Asi dumbu rowakaipa richashaiwa.
14
14:1b.PRO.014.001 Mukadzi mumwe nomumwe akachenjera anovaka imba yake; Asi benzi rinoiputsa namaoko aro.
14:2b.PRO.014.002 Anofamba nokururama kwake, anotya Jehovha; Asi wakatsauka panzira dzake, anomudzidza.
14:3b.PRO.014.003 Mumuromo webenzi mune shamhu yamanyawi; Asi miromo yavakachenjera inovachengeta.
14:4b.PRO.014.004 Kana pasina nzombe, chidyiro hachine chiro; Asi zvibereko zvizhinji zvinouya nesimba renzombe.
14:5b.PRO.014.005 Chapupu, chakatendeka, hachirevi nhema; Asi chapupu chenhema chinobudisa mashoko enhema.
14:6b.PRO.014.006 Mudadi anotsvaka uchenjeri, asi hahupo; Asi zivo haitani kuwanikwa navane njere.
14:7b.PRO.014.007 Ibva pamberi pebenzi, Nokuti haungawani miromo yezivo kwaari.
14:8b.PRO.014.008 Uchenjeri hwomunhu akangwara ndiko kunzwisisa nzira yake; Asi hupenzi hwamapenzi hunonyengedzera.
14:9b.PRO.014.009 Chibayiro chezvivi chamapenzi chinodadira; Asi pakati pavakarurama panokufarirana.
14:10b.PRO.014.010 moyo mumwe nomumwe unoziva kutambudzika kwawo; Mweni haangagoverani nomufaro wawo.
14:11b.PRO.014.011 Imba yowakaipa ichaparadzwa; Asi tende rowakarurama richafara zvakanaka.
14:12b.PRO.014.012 Munhu anoona nzira achiti yakarurama; Asi kuguma kwayo inzira dzorufu.
14:13b.PRO.014.013 Kunyange munhu angaseka hake, moyo ungava neshungu; Kuguma kwomufaro ndiko kuchema.
14:14b.PRO.014.014 Ano moyo, anodzokera shure, achagutiswa nenzira dzake; Asi munhu akanaka achagutiswa nezvinobva maari.
14:15b.PRO.014.015 Asina mano anotenda mashoko ose; Asi akangwara anongwarira mafambiro ake.
14:16b.PRO.014.016 Akachenjera anotya zvakashata, achizvinzvenga; Asi benzi rinamanyawi, richizvitenda.
14:17b.PRO.014.017 Anokurumidza kutsamwa, achaita noupenzi; Uye munhu, anofunga mano akaipa, achavengwa.
14:18b.PRO.014.018 Vasina mano vanogara nhaka yohupenzi; Asi vakangwara vachadzikwa korona yezivo.
14:19b.PRO.014.019 Vakashata vanogwadama pamberi pavakanaka; Navakaipa pamasuo avakarurama.
14:20b.PRO.014.020 Murombo anovengwa kunyange nowokwake; Asi shamwari dzavafumi izhinji.
14:21b.PRO.014.021 Anoshora wokwake, anotadza; Asi ane tsitsi navarombo, ane mufaro.
14:22b.PRO.014.022 Ko vanofunga zvakaipa havarashiki here? Asi nyasha nezvokwadi ndezvavanofunga zvakanaka
14:23b.PRO.014.023 Kubata kwose kune batsiro; Asi kungotaura nemiromo kunobereka kushaiwa.
14:24b.PRO.014.024 Korona yavakachenjera ifuma yavo; Asi upenzi hwamapenzi upenzi zvahwo
14:25b.PRO.014.025 Chapupu chakatendeka chinoponesa mweya yavanhu; Asi anoreva nhema anonyengedzera.
14:26b.PRO.014.026 Pakutya Jehovha pane simbiso kwazvo Vana vowakadai vachava noutiziro.
14:27b.PRO.014.027 Kutya Jehovha itsime roupenyu; Kuti munhu apukunyuke pamisungo yorufu.
14:28b.PRO.014.028 Ukuru hwamambo hunoonekwa pakuwanda kwavanhu; Asi kuparadzwa kwashe kuri pakushaiwa vanhu.
14:29b.PRO.014.029 Ano moyo murefu ane njere kwazvo; Asi anokurumidza kutsamwa anowedzera upenzi.
14:30b.PRO.014.030 moyo wakagadzikana ndihwo upenyu hwomuviri; Asi godo rinoodza mapfupa.
14:31b.PRO.014.031 Anomanikidza murombo, anozvidza Muiti wake; Asi ane tsitsi nomushaiwi, anomukudza.
14:32b.PRO.014.032 Akaipa anowiswa pasi mukutadza kwake; Asi akarurama ane tariro pakufa kwake.
14:33b.PRO.014.033 Uchenjeri hunogara pamoyo weane njere; Asi zviri mukati mamapenzi zvinozikanwa.
14:34b.PRO.014.034 Kururama kunokurisa rudzi; Asi zvivi zvinonyadzisa kurudzi rupi norupi.
14:35b.PRO.014.035 Mambo anofarira muranda, anoita nokuchenjera; Asi anonyadzisa achatsamwirwa naye.
15
15:1b.PRO.015.001 Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa; Asi shoko rinorwadza moyo rinomutsa hasha.
15:2b.PRO.015.002 Rurimi rwovakachenjera runobudisa zivo kwadzo; Asi muromo wamapenzi unodurura upenzi.
15:3b.PRO.015.003 Meso aJehovha ari pose-pose; Achicherekedza vakaipa navakanaka.
15:4b.PRO.015.004 Rurimi runyoro muti woupenyu; Asi rune nhema runoputsa mweya.
15:5b.PRO.015.005 Benzi rinoramba kurairira kwababa varo; Asi une hanya nokurairwa, ndiye ane njere.
15:6b.PRO.015.006 Mumba mowakarurama mune fuma zhinji; Asi kutambudzika kuri munezvinowanikwa nowakaipa.
15:7b.PRO.015.007 Miromo yavakachenjera inokusha zivo; Asi moyo wamapenzi haudaro.
15:8b.PRO.015.008 Chibayiro chavakaipa chinonyangadza Jehovha; Asi munyengetero wowakarurama unomufadza.
15:9b.PRO.015.009 Nzira yowakaipa inonyangadza Jehovha; Asi anoda munhu anotevera kururama.
15:10b.PRO.015.010 Kurangwa kwakaipa kunovinga munhu anosiya nzira; Anovenga kurairwa achafa.
15:11b.PRO.015.011 Sheori noKuparadza zviri pamberi paJehovha; Ndoda moyo yavana vavanhu.
15:12b.PRO.015.012 Mudadi haadi kurairwa; Anoramba kuenda kunowakachenjera.
15:13b.PRO.015.013 moyo, wakafara, unofadza chiso; Asi mweya unoputsa nomoyo une shungu.
15:14b.PRO.015.014 moyo woane njere unotsvaka zivo; Asi muromo wamapenzi unogutiswa noupenzi.
15:15b.PRO.015.015 Mazuva ose omunhu, uri pakutambudzika, akaipa; Asi anomoyo wakafara anomutambo nguva dzose.
15:16b.PRO.015.016 Zviri nani kuti munhu ave nezvishoma, achitya Jehovha, Pakuti ave nefuma yakawanda, achinyunyuta.
15:17b.PRO.015.017 Zviri nani kuti munhu ave nezvokudya zvemiriwo, rudo ruripo, Pakuti ave nenzombe yakakodzwa, panembengo.
15:18b.PRO.015.018 Munhu, ane hasha, anomutsa kukakavara; Asi anomoyo murefu anonyaradza gakava.
15:19b.PRO.015.019 Nzira yesimbe yakaita soruzhowa rweminzwa; Asi nzira yavakarurama yakagadzirwa.
15:20b.PRO.015.020 Mwanakomana akachenjera anofadza baba; Asi benzi rinoshora mai varo.
15:21b.PRO.015.021 Upenzi hunofadza munhu anoshaiwa uchenjeri; Asi munhu wenjere anofamba achirurama.
15:22b.PRO.015.022 Pasingaranganwi mano anokona; Asi kuna varairi vazhinji ndokwaanosimbiswa.
15:23b.PRO.015.023 Munhu anofadzwa nemhinduro yakarurama yomuromo wake; Uye shoko, rinotaurwa nenguva yakafanira, rakanaka sei!
15:24b.PRO.015.024 Nzira youpenyu yowakarurama inokwira kumusoro; Kuti apukunyuke paSheori pasi.
15:25b.PRO.015.025 Jehovha achaparadza imba yavanozvikudza; Asi muganho wechirikadzi anousimbisa.
15:26b.PRO.015.026 Mano akashata anonyangadza Jehovha; Asi mashoko akachena anomufadza.
15:27b.PRO.015.027 Anokarira fuma, anotambudza imba yake; Asi anovenga zvipo, achararama.
15:28b.PRO.015.028 moyo wowakarurama unombofunga chaangapindura; Asi muromo wowakaipa unodurura zvakaipa.
15:29b.PRO.015.029 Jehovha ari kure navakaipa; Asi anonzwa munyengetero wavakarurama.
15:30b.PRO.015.030 Meso anobwinya anofadza moyo; Mashoko akanaka, anobva kumwe, anokodza mapfupa.
15:31b.PRO.015.031 Nzeve, inoteerera kuraira, kunoisa kuupenyu, Ichagara pakati pavakachenjera.
15:32b.PRO.015.032 Anoramba kurairwa, anoshora mweya wake; Asi anoteerera kurairwa, anowana njere.
15:33b.PRO.015.033 Kutya Jehovha kunodzidzisa uchenjeri; Uye kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.
16
16:1b.PRO.016.001 Kurangarira kwomoyo ndokwomunhu; Asi mhinduro yorurimi inobva kuna Jehovha.
16:2b.PRO.016.002 Nzira dzose dzomunhu anoti dzakanaka pakuona kwake; Asi Jehovha anoyera zvinangwa.
16:3b.PRO.016.003 Isa mabasa ako ose kuna Jehovha, Zvawakarangarira zvigoitika.
16:4b.PRO.016.004 Jehovha akaitira chinhu chimwe ,nechimwe basa racho; Zvirokwazvo kunyange nowakaipa wakaitirwa zuva rakaipa
16:5b.PRO.016.005 mumwe nomumwe unomoyo unozvikudza, anonyangadza Jehovha Zvirokwazvo, haangakoni kurohwa.
16:6b.PRO.016.006 Zvakaipa zvinodzikunurwa nenyasha nezvokwadi; Nokutya Jehovha vanhu vanobva pane zvakashata.
16:7b.PRO.016.007 Kana nzira dzomunhu dzichifadza Jehovha, Anomuyananisira kunyange namapfumo ake.
16:8b.PRO.016.008 Zviri nani kuva nezvishoma nokururama, Pakuva nefuma zhinji nokusarurama.
16:9b.PRO.016.009 moyo womunhu anozvifungira nzira yake; Asi Jehovha anorairira kufamba kwake.
16:10b.PRO.016.010 Miromo yamambo inotema zvirevo zvazvokwadi; Muromo wake haungaposhi pakutonga.
16:11b.PRO.016.011 Chiyero nechienzaniso, chisinganyengeri, chinobva kuna Jehovha; Zviidzo zvose zvehombodo ibasa rake.
16:12b.PRO.016.012 Zvinonyangadza kana madzimambo achiita zvakaipa; Nokuti chigaro choushe chinosimbiswa nokururama.
16:13b.PRO.016.013 Madzimambo anofadzwa nemiromo yakarurama; Anotaura zvinhu zvakarurama anodikanwa naye.
16:14b.PRO.016.014 Kutsamwa kwamambo kwakaita senhume dzorufu; Asi munhu akachenjera anokunyaradza.
16:15b.PRO.016.015 Upenyu huri pakubwinya kwechiso chamambo; Kana achifarira munhu zvakaita segore remvura yokupedzisira.
16:16b.PRO.016.016 Kuwana uchenjeri kunokunda sei kuwana ndarama; zviri nani kutsaura kuwana njere pakuwana sirivha.
16:17b.PRO.016.017 Mugwagwa, wakapfumba, wavakarurama ndiko kubva pane zvakaipa; anochenjerera nzira yake anochengeta mweya wake.
16:18b.PRO.016.018 Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa; Uye mweya wamanyawi unotangira kuwa.
16:19b.PRO.016.019 Zviri nani kuva nomweya unozvininipisa pakati pavarombo pakugovana zvakapambwa navanozvikudza.
16:20b.PRO.016.020 Anoteerera shoko,achawana zvakanaka Anovimba naJehovha,anomufaro.
16:21b.PRO.016.021 Anomoyo wakachenjera achanzi akangwara;Uye miromo inotapira inowedzera dzidzo
16:22b.PRO.016.022 Njere itsime roupenyu kuna vanadzo;Asi kuraira kwamapenzi hupenzi
16:23b.PRO.016.023 Moyo wowakachenjera unodzidzisa muromo wake Uchawedzera dzidzo pamiromo yake
16:24b.PRO.016.024 Mashoko, anofadza, akaita somusvi wouchi,Zvinotapira kumweya zvichiporesa mapfupa.
16:25b.PRO.016.025 Munhu anoona nzira achiti yakarurama, asi kuguma kwayo inzira dzorufu.
16:26b.PRO.016.026 Nzara yomubati inomubatira;nokuti muromo wake unomukurudzira.
16:27b.PRO.016.027 Munhu asina maturo; anofungira vamwe zvakaipa; Pamiromo yake panomoto unopisa.
16:28b.PRO.016.028 Munhu akatsauka anokusha kukakavara; Mucheri anoparadzanisa shamwari dzinodanana.
16:29b.PRO.016.029 Munhu anomanikidza,anonyengedzera wokwake,Achimutungamirira panzira isina kunaka.
16:30b.PRO.016.030 Munhu anotsinzina meso ake,Anozviita kuti afunge zvakatsauka ,Anorumana miromo yake anoita zvakashata.
16:31b.PRO.016.031 Vhudzi rachena ikorona yakaisvnaka,Inowanikwa panzira yokururama.
16:32b.PRO.016.032 Anomoyo murefu anopfuura ane simba; Anodzora mweya wako, anopfuura anotapa musha.
16:33b.PRO.016.033 Mijenya inokandirwa panguvo dzechifuva;Asi zvirevo zvose zvinotemwa nayo zvinobva kuna Jehovha.
17
17:1b.PRO.017.001 Chimedurwa chakaoma chechingwa norugare, Chinopfuura imba izere nezvakabayiwa nokukakavara.
17:2b.PRO.017.002 Muranda, anoita nouchenjeri, angaraira mwanakomana anonyadzisa, Achidya nhaka pamwechete navana.
17:3b.PRO.017.003 Hari yokunyausa ndeyesirivha, nevira nderendarama; Asi Jehovha anoidza moyo yavanhu.
17:4b.PRO.017.004 Munhu, anoita zvakaipa, anoteerera miromo yakaipa; Murevi wenhema anorerekera nzeve yake kururimi rwakashata.
17:5b.PRO.017.005 Ani naani anoseka murombo, anozvidza Muiti wake; Anofara pamusoro penjodzi yavamwe, haangakoni kurohwa.
17:6b.PRO.017.006 Vazukuru ikorona yavatana; Kukudzwa kwavana ndiwo madzibaba avo.
17:7b.PRO.017.007 Kutaura kwamanyawi hakufaniri benzi; Zvikuru kutaura kune nhema hakufaniri muchinda.
17:8b.PRO.017.008 Fufuro yakaita sebwe rinokosha kana ichitarirwa nomwene wayo; Pose painoringira inofadza.
17:9b.PRO.017.009 Munhu anofukidza kudarika kwomumwe, anotsvaka rudo; Asi anoramba achimutsa shoko, anoparadzanisa shamwari dzinodana.
17:10b.PRO.017.010 Munhu ane njere anobayiwa nokutukwa Kupfuura benzi nokurohwa rune zana.
17:11b.PRO.017.011 Munhu anomoyo wokumukira anongotsvaka zvakaipa; Asi achatumirwa nhume inomoyo mukukutu.
17:12b.PRO.017.012 Zviri nani kuti munhu asangane nechikara chatorerwa vana, Pakuti asangane nebenzi paupenzi hwaro.
17:13b.PRO.017.013 Ani naani anoripidzira zvakanaka nezvakaipa, Zvakaipa hazvingabvi paimba yake.
17:14b.PRO.017.014 Kuvamba kwokukakavara kwakafanana nokudziurira mvura; Saka rega rukave, kurwa kusati kwasvika.
17:15b.PRO.017.015 Anopembedza akaipa, noanopa wakarurama mhosva, Vose vari vaviri vanonyangadza Jehovha.
17:16b.PRO.017.016 Mari iri muruoko rwebenzi neiko kuti ritenge uchenjeri, Zvarisina njere.
17:17b.PRO.017.017 Shamwari inoda nguva dzose; Hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika.
17:18b.PRO.017.018 Munhu anoshaiwa njere, ndiye anozvisunga noruoko rwake, Achizviitira wokwake rubatso.
17:19b.PRO.017.019 Anoda kukakavara, anoda kudarika, Anokurisa suo rake, anotsvaka kuparadzwa.
17:20b.PRO.017.020 Anomoyo usakarurama haawani zvakanaka; Ano rurimi rusakarurama anowira munjodzi.
17:21b.PRO.017.021 Anobereka benzi achazonzwa shungu; Baba vebenzi havana mufaro.
17:22b.PRO.017.022 moyo wakafara unobatsira munhu kupora; Asi mweya wakaputsika unowomesa mapfupa.
17:23b.PRO.017.023 Munhu akaipa anogamuchira fufuro inobva muchipfuva, Kuti aminamise nzira dzokururamisira.
17:24b.PRO.017.024 Uchenjeri huri pamberi poane njere, Asi meso ebenzi ari pamigumo yenyika.
17:25b.PRO.017.025 Mwanakomana benzi anochemedza baba vake, Anoitira mai vakamubereka zvinovava.
17:26b.PRO.017.026 Uye, kuranga akarurama hakuzakanaka, Nokurova vakuru nokuda kwokururama kwavo.
17:27b.PRO.017.027 Anozvidzora pamashoko ake, ane zivo; Uye ane mweya wakagadzikana, munhu wenjere.
17:28b.PRO.017.028 Kunyange nebenzi, kana rinyerere, ringanzi rakachenjera; Anobumira muromo wake, achanzi akangwara.
18
18:1b.PRO.018.001 Anozviparadzanisa navamwe, anongotsvaka kuda kwake, Anorwa nohuchenjeri hwose kwahwo.
18:2b.PRO.018.002 Benzi harifariri kunzwisisa, Asi kuti moyo waro ufukurwe.
18:3b.PRO.018.003 Kana akaipa achisvika, kuzvidza kwasvikawo; Pamwechete nezvinonyadzisa, kushora kunouyawo.
18:4b.PRO.018.004 Mashoko omuromo womunhu akaita semvura yakadzika; Sorukova runoyerera, setsime rouchenjeri.
18:5b.PRO.018.005 Kutsaura akaipa hazvina kunaka; Kana kuramba akarurama pakutonga.
18:6b.PRO.018.006 Miromo yebenzi inouyisa kukakavara; Muromo waro unodana kurohwa.
18:7b.PRO.018.007 Muromo webenzi ndiko kuparadzwa kwaro; Miromo yaro musungo womweya waro.
18:8b.PRO.018.008 Mashoko omucheri akaita sezvimedu zvinozipa, Zvinoburukira mukati-kati momuviri.
18:9b.PRO.018.009 Naiye ane usimbe pakubata kwake, Munununa womuparadzi.
18:10b.PRO.018.010 Zita raJehovha inhare yakasimba; Wakarurama anovangiramo ndokuchengetwa.
18:11b.PRO.018.011 fuma yomufumi ndiwo musha wake wakasimba, Uye sorusvingo rurefu pakufunga kwake.
18:12b.PRO.018.012 moyo womunhu anozvikudza kuparadzwa kusati kwasvika; Kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.
18:13b.PRO.018.013 Anopindura asati anzwa, Zvichava kwaari upenzi nokunyadziswa.
18:14b.PRO.018.014 Mweya womunhu unomusimbisa pakurwara kwake; Asi mweya wakaputsika ungamutswa nani?
18:15b.PRO.018.015 moyo wowakachenjera unowana zivo; Nzeve yowakachenjera inotsvaka zivo.
18:16b.PRO.018.016 Chipo chomunhu chinomuwanira nzvimbo, Chinomuisa pamberi pavakuru.
18:17b.PRO.018.017 Anotanga kutambirwa mhaka yake anenge akarurama , Asi wokwake anosvika womuferefeta.
18:18b.PRO.018.018 Mijenya inogumisa kukakavara; Inotema chirevo pakati pavane simba.
18:19b.PRO.018.019 Hama yatadzirwa inopfuura guta rakasimba; Kukakavara kwakafanana nezvipfigiso zveimba yamambo.
18:20b.PRO.018.020 Dumbu romunhu rinogutiswa nezvibereko zvomuromo wake; Achagutiswa nezvakawanda zvemiromo yake.
18:21b.PRO.018.021 Rurimi rune simba pamusoro porufu noupenyu; Vanoruda vachadya zvibereko zvarwo.
18:22b.PRO.018.022 Awana mukadzi awana chinhu chakanaka, Avigirwa nyasha naJehovha.
18:23b.PRO.018.023 Murombo anokumbira achinyengetera; Asi mufumi anopindura nehasha.
18:24b.PRO.018.024 Munhu ane shamwari zhinji anoparadzwa; Asi shamwari iriko inonamatira kupfuura hama.
19
19:1b.PRO.019.001 Murombo, anofamba muzvokwadi yake, Anopfuura ane miromo isakarurama, iri benzi.
19:2b.PRO.019.002 Uye, kushingaira kusine zivo hakuna kunaka; Anokurumidza namakumbo ake anorasha nzira.
19:3b.PRO.019.003 Upenzi hwomunhu hunokanganisa nzira yake; moyo wake unotsamwira Jehovha.
19:4b.PRO.019.004 fuma inouyisa shamwari zhinji; Asi murombo anosiyiwa neshamwari yake.
19:5b.PRO.019.005 Chapupu chenhema hachingakoni kurohwa; Anoreva nhema haangapukunyuki.
19:6b.PRO.019.006 Vazhinji vachatsvaka nyasha yomunhu anopavhurira; Munhu mumwe nomumwe ishamwari yoanopa zvipo.
19:7b.PRO.019.007 Hama dzose dzomurombo dzinomuvenga; Zvikuru shamwari dzake dzinoparadzana naye! Anovatevera namashoko, asi vaenda!
19:8b.PRO.019.008 Anowana huchenjeri, anoda hupenyu hwake; Anochengeta njere, achawana zvakanaka.
19:9b.PRO.019.009 Chapupu chenhema hachingakoni kurohwa; Anoreva nhema achaparadzwa.
19:10b.PRO.019.010 Kugara pakati pezvakanaka hazvifaniri benzi; Ndoda sei kuti muranda ave ishe wamachinda.
19:11b.PRO.019.011 Kungwara kwomunhu kunodzora kutsamwa kwake; Kukudzwa kwake ndiko kukanganwira kudarika kwomumwe.
19:12b.PRO.019.012 Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba; Asi nyasha dzake dzakaita sedova riri pauswa.
19:13b.PRO.019.013 Mwanakomana benzi inhamo yababa vake; Uye kukakavara kwomukadzi kudonha kusingaperi kwemvura.
19:14b.PRO.019.014 Dzimba nefuma inhaka inobva kuna madzibaba; Asi mukadzi akangwara anobva kuna Jehovha.
19:15b.PRO.019.015 Usimbe hunowisira munhu pahope huru; Munhu asingabati achafa nenzara.
19:16b.PRO.019.016 Anochengeta murayiro, anochengeta upenyu hwake; Asi asina hanya nenzira dzake achafa.
19:17b.PRO.019.017 Anonzwira varombo tsitsi, anoposana naJehovha; Achamuripira basa rake rakanaka.
19:18b.PRO.019.018 Ranga mwanakomana wako, nokuti tariro ichipo; Usatsvaka kumuuraya.
19:19b.PRO.019.019 Munhu ane hasha zvikuru acharohwa; Nokuti kana uchimurwira, unongozvinyanyisa.
19:20b.PRO.019.020 Teerera kana uchirairirwa, unzwe kana uchidzidziswa, Kuti pashure ugova wakachenjera.
19:21b.PRO.019.021 Mumoyo womunhu mune ndangariro zhinji; Asi kurairira kwaJehovha ndiko kuchamira.
19:22b.PRO.019.022 Munhu anodikanwa nokuda kwounyoro hwake; Murombo urinani pamurevi wenhema.
19:23b.PRO.019.023 Kutya Jehovha kunoisa kuupenyu; Unako, uchavata zvakanaka, Haangavingiwi nezvakaipa.
19:24b.PRO.019.024 Simbe inopinza ruoko rwayo mundiro, isingadi kutongorudzosera kumuromo wayozve..
19:25b.PRO.019.025 Rova mudadi, ipapo asina mano achazvingwarira; Raira ane njere, ipapo achanzwisisa zivo.
19:26b.PRO.019.026 Anoitira baba vake simba, nokudzinga mai vake, Mwanakomana unonyadzisa nokuita zvinonyadza.
19:27b.PRO.019.027 Mwanakomana wangu, rega kuteerera kana uchidzidziswa, Kana uchida hako kutsauka pamashoko ezivo.
19:28b.PRO.019.028 Chapupu chisina maturo chinodada nokururama; Muromo wavakaipa unomedza zvakaipa.
19:29b.PRO.019.029 Kutongwa kwakagadzirirwa vadadi; Neshamhu misana yamapenzi.
20
20:1b.PRO.020.001 Waini mudadi, doro mupopoti; Ani naani anobatwa nazvo, haana kuchenjera.
20:2b.PRO.020.002 Kuvhundusa kwamambo kwakaita sokuomba kweshumba; Anomutsamwisa, anozvitadzira hupenyu hwake.
20:3b.PRO.020.003 Munhu anokudzwa kana achigara kure nokukakavara; Asi benzi rimwe nerimwe rinokakavara.
20:4b.PRO.020.004 Simbe hairimi kana kune chando; Saka kana achitsvaka zvibereko pakucheka, hazvipo.
20:5b.PRO.020.005 Mano mumoyo womunhu angaita semvura yakadzika; Asi munhu wenjere achaichera.
20:6b.PRO.020.006 Vanhu vazhinji vanowana munhu anovaitira chinhu chakanaka, Asi ndiani angawana munhu akatendeka?
20:7b.PRO.020.007 Munhu akarurama, anofamba muzvokwadi yake, Vana vake vanomutevera vacharopafadzwa.
20:8b.PRO.020.008 Mambo, anogara pachigaro chokutonga, Anodzinga zvakaipa zvose nameso ake.
20:9b.PRO.020.009 Ndiani angati, Ndachenesa moyo wangu Ndanatswa zvivi zvangu?
20:10b.PRO.020.010 Zviidzo zvakasiyana, nezviyero zvakasiyana, Izvozvo zvose zvinonyangadza Jehovha.
20:11b.PRO.020.011 Kunyange nomwanakomana anozvizivisa nezvaanoita, Kana basa rake rakanaka, kana rakarurama.
20:12b.PRO.020.012 Nzeve, inonzwa, neziso, rinoona, Jehovha akazviita zvose.
20:13b.PRO.020.013 Usada hope, kuti urege kuzova murombo; Svinudza meso ako, kuti ugogutiswa nezvokudya.
20:14b.PRO.020.014 Chakaipa, chakaipa! Ndizvo zvinoreva mutengi; Asi kana woenda wozvirumbidza.
20:15b.PRO.020.015 Ndarama iriko, nekorari zhinji; Asi miromo yezivo ndicho chinhu chinokosha kwazvo.
20:16b.PRO.020.016 Mutorerei nguvo yake, iye wakazviita rubatso kumutorwa; Ngaave rubatso rwavatorwa.
20:17b.PRO.020.017 Munhu anoti zvokudya zvenhema zvakanaka, Asi pashure muromo wake uchazara nejecha.
20:18b.PRO.020.018 Mano anobva pakurangana; Urwe pfumo wamborairirwa nohuchenjeri.
20:19b.PRO.020.019 Anofamba ana makuhwa, anobudisa zvakavanda; Saka usashamwaridzana nomunhu anoshamisa miromo yake.
20:20b.PRO.020.020 Anotuka baba vake kana mai vake, Mwenje wake uchadzimwa parima rakasviba.
20:21b.PRO.020.021 Nhaka, yakawanikwa nokukurumidza pakutanga, Haingaropafadzwi pakupedzisira.
20:22b.PRO.020.022 Usati, Ndachatsiva zvakaipa; Mirira Jehovha, iye achakuponesa.
20:23b.PRO.020.023 Zviidzo, zvakasiyana, zvinonyangadza Jehovha; Nechiyero chinonyengedzera hachina kunaka.
20:24b.PRO.020.024 Kufamba kwomunhu kunobva kuna Jehovha; Zvino munhu anganzwisisa seiko nzira yake?
20:25b.PRO.020.025 Musungo kumunhu kupika achiti, Chitsvene! Asina kumborangarira, Ndokuzofungisisa ambopika.
20:26b.PRO.020.026 Mambo akachenjera anozungura. vakaipa, Achivapura nomupuro.
20:27b.PRO.020.027 Mweya womunhu mwenje waJehovha; Anonzvera zvose zviri mukati-kati.
20:28b.PRO.020.028 Rudo nokutendeka zvinochengeta mambo; Chigaro chake choushe chinotsigirwa norudo.
20:29b.PRO.020.029 Majaya anokudzwa nokuda kwesimba rawo; Ukomba hwavatana ndiyo misoro yakachena.
20:30b.PRO.020.030 Kurohwa kunokuvadza kunonatsa zvakaipa; Kurohwa kunopinda mukati-kati.
21
21:1b.PRO.021.001 moyo wamambo uri muruoko rwaJehovha sehova dzemvura; Anoufambisa sezvaanoda.
21:2b.PRO.021.002 Nzira ipi neipi yomunhu anoti yakarurama pakuona kwake; Asi Jehovha anoyera moyo.
21:3b.PRO.021.003 Kuita zvakarurama nokururamisira Zvinofadza Jehovha kupfuura chibayiro.
21:4b.PRO.021.004 Kutarira kwamanyawi nomoyo unozvikudza, Icho chiedza chavakaipa, zvivi.
21:5b.PRO.021.005 Ndangariro dzavashingairi dzinouyisa zvizhinji; Asi ani naani anokurumidzisa anongovangira kushaiwa.
21:6b.PRO.021.006 Kuunganidza fuma norurimi runorevha nhema Imhute inodzingwa kwose-kwose navanotsvaka rufu.
21:7b.PRO.021.007 Kumanikidza kwavakaipa kunovaparadza, Nokuti vanoramba kuita zvakarurama.
21:8b.PRO.021.008 Nzira yomunhu ane mhosva yakaminama kwazvo; Asi kana ari akachena, kuita kwake kwakarurama.
21:9b.PRO.021.009 Zviri nani kugara pakona redenga, Pakugara muimba imwe nomukadzi anokakavara.
21:10b.PRO.021.010 Mweya wowakaipa unoda zvakaipa; Wokwake haawani nyasha kwaari.
21:11b.PRO.021.011 Kana mudadi achirangwa, asina mano achava nouchenjeri; Kana wakachenjera achidzidziswa, anogamuchira
21:12b.PRO.021.012 Akarurama anocherekedza imba yowakaipa; Anowisira vakaipa mukuparadzwa.
21:13b.PRO.021.013 Anodzivira nzeve yake, kuti arege kunzwa kuchema kwomurombo, Iyewo achachema, asi haanganzwiki.
21:14b.PRO.021.014 chipo chinopiwa pakavanda, chinonyaradza hasha, Nechipiwa, chiri muchipfuva, kutsamwa kukuru.
21:15b.PRO.021.015 Kuita zvakarurama ndiwo mufaro kunowakarurama; Asi vaiti vezvakaipa vanoparadzwa nako.
21:16b.PRO.021.016 Munhu, anotsauka panzira yenjere, achandozorora muungano yavakafa.
21:17b.PRO.021.017 Anofarira zvinofadza, achava murombo; Anofarira waini namafuta haangafumi.
21:18b.PRO.021.018 Akaipa idzikunuro yowakarurama; Anoita nokunyengedzera anopinda panzvimbo yowakarurama.
21:19b.PRO.021.019 Zviri nani kugara murenje, Pakugara nomukadzi anokakavara noanonetsa.
21:20b.PRO.021.020 Mumba mowakachenjera mune fuma inokosha namafuta, Asi benzi rinozvipedza.
21:21b.PRO.021.021 Munhu, anotsvaka kururama nounyoro, Anowana upenyu, nokururama, nokukudzwa.
21:22b.PRO.021.022 Munhu akachenjera anokwira muguta ravane simba, Achiwisira pasi nhare yavanovimba nayo.
21:23b.PRO.021.023 Ani naani anochengeta muromo wake norurimi rwake, Anochengeta mweya wake pamatambudziko.
21:24b.PRO.021.024 Munhu, anozvikudza ana manyawi, mudadi ndiro zita rake; Anoita namanyawi okuzvikudza kwake.
21:25b.PRO.021.025 Kuda kwoane usimbe kunomuuraya; Nokuti maoko ake anoramba kubata basa.
21:26b.PRO.021.026 Zuva rose anoramba achingochiva; Asi akarurama anopa asingarambi.
21:27b.PRO.021.027 Chibayiro chowakaipa chinonyangadza; Ndoda kana achiuya nazvo kuyananisira zvakaipa.
21:28b.PRO.021.028 Chapupu chenhema chichaparadzwa; Asi munhu unoteerera, acharamba achitaura.
21:29b.PRO.021.029 Munhu akaipa ane chiso chisinganyari; Asi kana ari akarurama anogadzira nzira dzake.
21:30b.PRO.021.030 Hakuna uchenjeri, kana njere, Hakuna mano angakunda Jehovha.
21:31b.PRO.021.031 Bhiza rinogadzirirwa zuva rokurwa, Asi kukunda kunobva kuna Jehovha.
22
22:1b.PRO.022.001 Zita rakanaka rinofanira kutsanangurwa kupfuura fuma zhinji; Uye kudikanwa kupfuura sirivha nendarama.
22:2b.PRO.022.002 Vafumi navarombo vanosangana pamwechete; Jehovha ndiye muiti wavo vose.
22:3b.PRO.022.003 Munhu akangwara anoona zvakaipa, ndokuvanda; Asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.
22:4b.PRO.022.004 Mubayiro wokuzvininipisa nokutya Jehovha Ifuma nokukudzwa noupenyu.
22:5b.PRO.022.005 Minzwa nemisungo zviri panzira yousakarurama; Asi anochengeta mweya wake achagara kure nazvo.
22:6b.PRO.022.006 Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, Ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.
22:7b.PRO.022.007 Mufumi anobata ushe pamusoro pomurombo; Anotora chikwerete, muranda, wowakamupa chikwerete.
22:8b.PRO.022.008 Unodzvara zvakaipa, uchacheka dambudziko; Shamhu yokutsamwa kwake ichanyangarika.
22:9b.PRO.022.009 Ane moyo munyoro acharopafadzwa; Nokuti anopa varombo zvokudya zvake.
22:10b.PRO.022.010 Dzinga mudadi, kukakavara kugoendawo; Nenharo nokunyadzwa zvichaguma.
22:11b.PRO.022.011 Anoda kuchena kwomoyo, Neane miromo inofadza, mambo achava shamwari ake.
22:12b.PRO.022.012 Meso aJehovha anochengeta ane zivo; Asi achakonesa mashoko omunhu anonyengedzera.
22:13b.PRO.022.013 Simbe inoti, Kune shumba kunze, Ndingaurawa pakati penzira dzomumusha.
22:14b.PRO.022.014 Muromo wavakadzi vokumwe igomba rakadzika; Anotsamwirwa naJehovha achawiramo.
22:15b.PRO.022.015 Upenzi hunonamatira mumoyo womwana; Asi shamhu yokurairira ichahudzingira kure naye.
22:16b.PRO.022.016 Anomanikidza murombo, anomufumisa; Anopa mufumi zvipo, anongomushaisa.
22:17b.PRO.022.017 Rerekera nzeve yako, unzwe mashoko owakachenjera, moyo wako urangarire zivo yangu.
22:18b.PRO.022.018 Nokuti chinhu chakanaka, kana uchigara nazvo mukati mako, Ngazvigare pamwechete pamiromo yako.
22:19b.PRO.022.019 Ndakakuzivisa, iyewe, izvozvo nhasi, Kuti uvimbe naJehovha.
22:20b.PRO.022.020 Handina kukunyorera mashoko akaisvonaka here, Okurairira nezivo here?
22:21b.PRO.022.021 Kuti uziviswe kwazvo mashoko ezvokwadi, Kuti udzosere mashoko ezvokwadi kuna vanokutuma here?
22:22b.PRO.022.022 Usatorera murombo, nokuti murombo; Usamanikidza anotambudzika pasuo;
22:23b.PRO.022.023 Nokuti Jehovha achavarwira pamhaka dzavo, Nokutadzira upenyu hwavanovatadzira.
22:24b.PRO.022.024 Usashamwaridzana nomunhu anotsamwa; Usafambidzana nomunhu ane hasha;
22:25b.PRO.022.025 Kuti urege kudzidza tsika dzake, Uteyire mweya wako musungo.
22:26b.PRO.022.026 Usava mumwe wavanozvisunga noruoko, Kana vakazviita rubatso nokuda kwechikwereti.
22:27b.PRO.022.027 Kana usina chaungaripa nacho, Uchagokutorereiko nhovo dzako pasi pako?
22:28b.PRO.022.028 Usabvisa muganho wekare, Wakaiswapo namadzibaba ako.
22:29b.PRO.022.029 Unoona munhu anoshingaira pabasa rake here? Achamira pamberi pamadzimambo; Haangamiri pamberi pavanhu vasingazikanwi.
23
23:1b.PRO.023.001 Kana ukagara pakudya chete nomubati, Cherekedza zvakanaka zviri pamberi pako;
23:2b.PRO.023.002 Uzvigure huro dzako, Kana uri munhu wamadyo
23:3b.PRO.023.003 Usapanga zvinozipa zvake, Nokuti zvokudya izvo zvinonyengedzera.
23:4b.PRO.023.004 Usazvinetsa kuwana fuma; Rega huchenjeri hwako.
23:5b.PRO.023.005 Unoda kuzvitarira nameso ako? Zvaenda! Nokuti zvirokwazvo fuma inozviitira mapapiro, Segondo rinobhururukira kudenga
23:6b.PRO.023.006 Usadya zvokudya zvomunhu anoruchiva; Kana kupanga zvinozipa zvake.
23:7b.PRO.023.007 Nokuti sezvaanofunga mumoyo make, ndozvaakaita; Anoti kwauri, Chidya, chinwa; , Asi moyo wake haune hanya newe.
23:8b.PRO.023.008 Musuva wawadya, uchaurutsazve, Ukarashikirwa namashoko ako akanaka.
23:9b.PRO.023.009 Usataura paunonzwikwa nebenzi; Nokuti richazvidza uchenjeri hwamashoko ako.
23:10b.PRO.023.010 Usabvisa muganho wekare; Uye usapinda paminda yenherera;
23:11b.PRO.023.011 Nokuti Mudzikunuri wavo ane simba; Iye uchavarwira pamhaka dzavo newe.
23:12b.PRO.023.012 moyo wako ushingaire kudzidziswa, Nenzeve dzako kunzwa mashoko ezivo.
23:13b.PRO.023.013 Usarega kuranga mwana; Nokuti kunyange ukamurova neshamhu, haangafi.
23:14b.PRO.023.014 Umurove neshamhu, Ugorwira mweya wake paSheori.
23:15b.PRO.023.015 Mwanakomana wangu, kana moyo wako wochenjera, Nomoyo wangu uchafarawo.
23:16b.PRO.023.016 Zvirokwazvo, itsvo dzangu dzichafarisisa, Kana miromo yako ichitaura zvinhu zvakarurama.
23:17b.PRO.023.017 moyo wako ngaurege kugodora vatadzi; Asi utye Jehovha mazuva ose.
23:18b.PRO.023.018 Nokuti zvirokwazvo mubayiro uripo; Chawakatarira hachingaparadzwi.
23:19b.PRO.023.019 Inzwa, iwe mwanakomana wangu, uchenjere, Ururamise moyo wako munzira.
23:20b.PRO.023.020 Usava pakati pavanokarira waini, Pakati pavanokarira nyama.
23:21b.PRO.023.021 Nokuti munwi neane madyo vachava varombo; Hope dzichapfekedza munhu mamvemve.
23:22b.PRO.023.022 Teerera baba vako vakakubereka; Usazvidza mai vako kana vachembera.
23:23b.PRO.023.023 Tenga zvokwadi, urege kuzoitengesazve; Uye tenga uchenjeri nedzidzo nenjere.
23:24b.PRO.023.024 Baba vovakarurama vachafara kwazvo; Uye akabereka mwana akachenjera, achafadzwa naye.
23:25b.PRO.023.025 Baba vako namai vako ngavafare, Mai vakakubereka ngavafare kwazvo.
23:26b.PRO.023.026 Mwanakomana wangu, ndipe moyo wako; Meso ako ngaafarire nzira dzangu.
23:27b.PRO.023.027 Nokuti chifeve igoronga rakadzika; Nomukadzi wokumwe gomba rakamanikana.
23:28b.PRO.023.028 Zvirokwazvo anovandira segororo; Anowedzera vanyengedzeri pakati pavanhu.
23:29b.PRO.023.029 Ndiani anoti, Haiwa! Ndiani, anoti, Maiwe! Ndiani anokukakavara? Ndiani anokuchema? Ndiani anemavanga pasina mhaka? Ndiani ane meso akatsvuka?
23:30b.PRO.023.030 Ndivo vanogarisa pawaini; Ivo vanondotsvaka waini yavhenganiswa.
23:31b.PRO.023.031 Usatarira waini kana yakatsvuka, Kana ichivaima mumukombe, Kana ichitapira pakunwiwa.
23:32b.PRO.023.032 Pakupedzisira inoruma senyoka, Inobaya semvumbi.
23:33b.PRO.023.033 Meso ako achaona zvisingazikanwi, moyo wako uchabudisa zvisakarurama.
23:34b.PRO.023.034 Zvirokwazvo uchava somunhu avete pasi mukati megungwa, Kana soavete pamusoro pedanda rechikepe.
23:35b.PRO.023.035 Uchati, Vakandirova, asi handina kurwadziwa, Vakandirova, asi handina kuzvinzwa; Ndichapepuka rinhiko? Ipapo ndichandoitsvakazve.
24
24:1b.PRO.024.001 Usagodora vanhu vakaipa; Usashuva kuva pakati pavo.
24:2b.PRO.024.002 Nokuti moyo yavo inorangarira kuparadza; Nemiromo yavo inotaura zvakashata.
24:3b.PRO.024.003 Imba inovakwa nouchenjeri; Inosimbiswa nenjere.
24:4b.PRO.024.004 Nezivo dzimba dzomukati dzinozadzwa Nefuma yose inokosha inofadza.
24:5b.PRO.024.005 Munhu akachenjera ane simba; Zvirokwazvo, munhu wezivo anowedzera simba
24:6b.PRO.024.006 Nokuti anofanira kurwa pfumo amborairirwa nouchenjeri; Asi kuna varairiri vazhinji ndiko kune ruponeso.
24:7b.PRO.024.007 Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi; Harishamisi muromo waro padare.
24:8b.PRO.024.008 Anorangarira kuita zvakaipa, Achanzi navanhu mwene wezvakashata.
24:9b.PRO.024.009 Mufungo woupenzi zvivi; Mudadi anonyangadza vanhu.
24:10b.PRO.024.010 Kana ukapera simba nezuva rokutambudzika, Simba rako ishoma.
24:11b.PRO.024.011 Rwira vanoiswa kurufu; Novourawa usarega kuvadzosa.
24:12b.PRO.024.012 Kana ukati, Tarirai, hatina kuzviziva; Ko iye anoidza moyo, haazvioni here? Naiye anochengeta mweya wako, haazvizivi here? Ko iye haangapi mumwe nomumwe zvakaenzana nebasa rake here?
24:13b.PRO.024.013 Mwanakomana wangu, idya uchi, nokuti hwakanaka; Nomusvi unozipa pamukanwa wako.
24:14b.PRO.024.014 Uchaona kuti ndizvo zvichaita uchenjeri kumweya wako; Kana wahuwana, mubayiro uchavapo, Nezvawakatarira hazvingaparadzwi.
24:15b.PRO.024.015 Iwe munhu akaipa, usavandira panogara wakarurama; Usaparadza paanozorora.
24:16b.PRO.024.016 Nokuti munhu akarurama angawa kanomwe, achisimukazve; Asi vakaipa vanowisirwa pasi nenjodzi.
24:17b.PRO.024.017 Usafarisisa kana muvengi wako achiwa; Kana achiwisirwa pasi, moyo wako ngaurege kufara.
24:18b.PRO.024.018 Kuti Jehovha arege kuzviona, zvisamufadza, Akazodzora kutsamwa kwake kwaari.
24:19b.PRO.024.019 Usatsamwa nokuda kwavaiti vezvakaipa; Uye usagodora vakaipa.
24:20b.PRO.024.020 Nokuti munhu akaipa haana mubayiro; Mwenje wakaipa uchadzimwa.
24:21b.PRO.024.021 Mwanakomana wangu, itya Jehovha namambo; Usafambidzana navanongosishanduka.
24:22b.PRO.024.022 Nokuti nhamo yavo ichamuka pakarepo; Nokuguma kwamakore avo, ndiani achazviziva?
24:23b.PRO.024.023 Zvirevo izviwo zvakabva kuna vakachenjera, Kutsaura vanhu pakutonga hazvina kunaka
24:24b.PRO.024.024 Anoti kune wakaipa, Akarurama, Vanhu vachamutuka, nendudzi dzichamusema.
24:25b.PRO.024.025 Asi vanomuraira, vachaitirwa zvakanaka; ropafadzo yakanaka ichauya pamusoro pavo.
24:26b.PRO.024.026 Anopindura namashoko akarurama, anotsvoda nemiromo.
24:27b.PRO.024.027 Gadzira basa rako kunze, Uzvigadzirire iro pamunda; Pashure ugovaka imba yako.
24:28b.PRO.024.028 Usava chapupu chinopomera wokwako asina mhosva; Usanyengedzera nemiromo yako.
24:29b.PRO.024.029 Usati, Sezvaakandiitira, ndizvo zvandichamuitirawo; Ndicharipira munhu sezvaakaita iye.
24:30b.PRO.024.030 Ndakapfuura napamunda wesimbe, Napamunda wemizambiringa womunhu anoshaiwa njere;
24:31b.PRO.024.031 Tarirai, akanga angomera minzwa chete; Munda wose wakanga wakafukidzwa norukato, Norusvingo rwawo rwamabwe rwakanga rwakoromoka.
24:32b.PRO.024.032 Ipapo ndakacherekedza, ndikanatsofunga; Ndakaona, ndikadzidziswa.
24:33b.PRO.024.033 Kumbovata zvishomanene, kumbotsumwaira zvishomanene, Kumbofungatira maoko zvishomanene, ndizorore;
24:34b.PRO.024.034 Saizvozvo urombo hwako huchasvika segororo, Nokushaiwa kwako somunhu akashonga nhumbi dzokurwa.
25
25:1b.PRO.025.001 Izvowo ndizvo zvirevo zvaSoromoni, zvakanyorwa navanhu vaHezekia mambo wavaJudha,
25:2b.PRO.025.002 Ndiko kukudzwa kwaMwari kuti avanze chinhu; Asi kukudzwa kwamadzimambo ndiko kuti vanzvere mhosva.
25:3b.PRO.025.003 Kukwirira kwedenga, nokudzika kwenyika, Nemoyo yamadzimambo hazvibviri kunzverwa.
25:4b.PRO.025.004 Bvisa marara pasirivha, Muumbi agobudisirwa hari.
25:5b.PRO.025.005 Bvisa akaipa pamberi pamambo, Chigaro chake choushe chisimbiswe nokururama.
25:6b.PRO.025.006 Usava namanyawi pamberi pamambo; Usamira panzvimbo yavakuru.
25:7b.PRO.025.007 Nokuti zviri nani kuti vati kwauri, Kwira pano, Pakuti uninipiswe pamberi pomuchinda. Wawaona nameso ako
25:8b.PRO.025.008 Usakurumidza kundoita nharo; Nokuti uchazodini pashure, Kana wokwako akunyadzisa?
25:9b.PRO.025.009 Rangana nowakaipa pamusoro pemhosva iri pakati penyu, Asi usareurura zvakavanzika zvomumwe;
25:10b.PRO.025.010 Kuti mumwe anozvinzwa arege kukutuka, Gungwa rako rikasaguma.
25:11b.PRO.025.011 Shoko rinotaurwa nenguva yakafanira, Rakafanana namatamba endarama mumidziyo yesirivha.
25:12b.PRO.025.012 Murairi akachenjera panzeve inoteerera, Zvakafanana nechindori chenzeve chendarama noukomba hwendarama yakaisvonaka.
25:13b.PRO.025.013 Nhume yakatendeka kuna vanoituma yakafanana nokutonhorera kwechando panguva yokucheka; nokuti anoponesa mweya yavatenzi vayo.
25:14b.PRO.025.014 Munhu anozvirumbidza pamusoro pechipo chenhema, Akafanana namakore nemhepo zvisina mvura.
25:15b.PRO.025.015 Mubati anokundwa kana achiitirwa moyo murefu, Uye rurimi runyoro runovhuna mapfupa.
25:16b.PRO.025.016 Wawana uchi here? Chidya hunokuringana, Kuti urege kuzvimbirwa nahwo, ukahurutsa.
25:17b.PRO.025.017 Rutsoka rwako ngarurege kuwanza kupinda paimba yowokwako; Arege kuzoneta newe, akakuvenga.
25:18b.PRO.025.018 Munhu anopupurira wokwake nhema, Akafanana netsvimbo, nomunondo, nomuseve unopinza.
25:19b.PRO.025.019 Kutenda munhu asina kutendeka panguva yenhamo, Kwakafanana nezino rakagurika norutsoka rwakashodoka.
25:20b.PRO.025.020 Somunhu anobvisa nguvo kana kuchitonhora, uye sevhiniga kana ichiiswa pasoda, Ndizvo zvakaita munhu anoimbira moyo unorwadza nziyo.
25:21b.PRO.025.021 Kana muvengi wako ane nzara, umupe zvokudya adye; Kana ane nyota, umupe mvura anwe.
25:22b.PRO.025.022 Nokuti uchatutira mazimbe omoto pamusoro wake, Uye Jehovha achakuripira.
25:23b.PRO.025.023 Mhepo inobva kuchamhembe inouyisa mvura; Saizvozvo rurimi runa makuhwa runouyisa chiso chakatsamwa.
25:24b.PRO.025.024 Zviri nani kugara pakona redenga, Pakugara muimba imwe nomukadzi unokakavara.
25:25b.PRO.025.025 Shoko rakanaka, rinobva kunyika iri kure, Rakafanana nemvura inotonhorera kumweya ane nyota.
25:26b.PRO.025.026 Munhu akarurama, anozununguka pamberi pavakaipa, Akafanana netsime rakabvongodzwa nechitubu chine tsvina.
25:27b.PRO.025.027 Hazvina kunaka kudya uchi huzhinji; Asi kunzvera zvinorema ndiko kukudzwa.
25:28b.PRO.025.028 Munhu asingadzori mweya wake, Akafanana neguta rakaputswa, risina rusvingo.
26
26:1b.PRO.026.001 Sezvakaita chando muzhizha, uye sezvakaita mvura mukucheka, Saizvozvo kukudzwa hakufaniri benzi.
26:2b.PRO.026.002 Sezvinoita shiri pakupaparika kwayo, nenyenganyenga pakubhururuka kwayo, Saizvozvo kutuka pasina mhosva hakuitiki.
26:3b.PRO.026.003 Tyava yakaitirwa bhiza, namatomu mbongoro, Neshamhu musana wamapenzi.
26:4b.PRO.026.004 Usapindura benzi noupenzi hwaro, Kuti urege kufanana naro.
26:5b.PRO.026.005 Pindura benzi noupenzi hwaro, Kuti rirege kuti rakachenjera.
26:6b.PRO.026.006 Anotuma shoko noruoko rwebenzi, Unozvigura tsoka, nokunwa kutambudzika.
26:7b.PRO.026.007 Makumbo echirema anongoremberera; Ndizvo zvakaita chirevo mumuromo webenzi.
26:8b.PRO.026.008 Somunhu anosungira ibwe pachifuramabwe, Ndizvo zvakaita iye anokudza benzi.
26:9b.PRO.026.009 Sezvinoita minzwa muruoko rwomukariri wedoro, Ndizvo zvakaita chirevo mumuromo webenzi
26:10b.PRO.026.010 somupfuri wemiseve, unopfura zvose, Ndizvo zvakaita munhu anosevenzesa benzi neanosevenzesa vafambi.
26:11b.PRO.026.011 Sembwa inodzokera kumarutsi ayo, Ndizvo zvakaita benzi rinopamhidza upenzi hwaro.
26:12b.PRO.026.012 Unoona munhu anoti ndakachenjera here? Benzi riri nani kuna iye!
26:13b.PRO.026.013 Simbe inoti, Kune shumba panzira; Shumba iri munzira dzomumusha.
26:14b.PRO.026.014 Gonhi rinotendereka pamahinji aro; Ndizvo zvinoita simbe panhovo dzayo.
26:15b.PRO.026.015 Simbe inopinza ruoko rwayo mundiro, Ino usimbe kurudzoserazve kumuromo wayo.
26:16b.PRO.026.016 Simbe inozviti ndakachenjera Kupfuura vanhu vanomwe vanogona kupindura nenjere.
26:17b.PRO.026.017 Somunhu anobata imbwa nenzeve dzayo, ichingopfuura hayo, Ndizvo zvakaita munhu anozvipinza pagakava raasina mhosva naro.
26:18b.PRO.026.018 Somupengo anokanda zvitsiga, Nemiseve, nezvinouraya,
26:19b.PRO.026.019 Ndizvo zvinoita munhu anonyengedzera wokwake, Achiti, Ndinongoita zvangu jee!
26:20b.PRO.026.020 Moto unodzima nokushaiwa huni; Uye kana kusina mucheri, gakava rinopera.
26:21b.PRO.026.021 Sezvakaita mazimbe pazvitsiga zvinopfuta, nehuni pamoto, Ndizvo zvakaita munhu wegakava pakupfutidza rukave.
26:22b.PRO.026.022 Mashoko omucheri akaita sezvimedu zvinozipa, Zvinoburukira mukati-kati momuviri.
26:23b.PRO.026.023 Miromo inopisa norudo pamwechete nomoyo wakaipa, Zvakafanana nomudziyo wevhu wakanamirwa namarara anobva pasirivha.
26:24b.PRO.026.024 Muvengi anonyengedzera nemiromo yake, Asi anovanza kunyengedzera mumoyo make.
26:25b.PRO.026.025 Kana achitaura zvinonaka, usamutenda; Nokuti mumoyo make mune zvinonyangadza zvinomwe.
26:26b.PRO.026.026 Kunyange kuvenga kwake kuchizvivanza nokunyengedzera, Kushata kwake kuchabudiswa pachena pamberi peungano.
26:27b.PRO.026.027 Ani naani anochera gomba, achawiramo iye; Anokungurusa ibwe, richadzokera pamusoro pake.
26:28b.PRO.026.028 Rurimi rwenhema runovenga akuvadzwa narwo; Nomuromo unobata kumeso unoparadza.
27
27:1b.PRO.027.001 Usazvirumbidza pamusoro pezuva ramangwana; Nokuti hauzivi chaungavigirwa nezuva rimwe.
27:2b.PRO.027.002 Mumwe ngaakurumbidze, urege kuva muromo wako; Ngaave mweni, irege kuva miromo yako.
27:3b.PRO.027.003 Ibwe rinorema, uye jecha rinorema; Asi kutsamwa kwebenzi kunokurira zvose nokurema.
27:4b.PRO.027.004 Hasha dzinokuvadza, uye kutsamwa kunokukura; Asi ndiani angamira pamberi pegodo.
27:5b.PRO.027.005 Kurairwa pachena kunopfuura Rudo rwakavanzwa.
27:6b.PRO.027.006 Mavanga anotemwa neshamwari angatendwa, Asi kutsoda kwomuvengi kunonyengedza.
27:7b.PRO.027.007 Mweya wakaguta unotsika pasi musvi wouchi; Asi mweya une nzara unoti zvose zvinozipa kunyange zvichivava.
27:8b.PRO.027.008 Seshiri inoburuka ichienda kure nedendere rayo, Ndizvo zvakaita munhu anofamba-famba kure napaanogara.
27:9b.PRO.027.009 Mafuta nezvinonhuwira zvinofadza moyo; Ndizvo zvinoitawo kunaka kwoushamwari hwomunhu kunobva pakuyanana kwemweya.
27:10b.PRO.027.010 Usasiya shamwari yako neshamwari yababa vako; Usaenda kumba kwomunununa wako nezuva renhamo yako; Wokwako, ari pedo, anopfuura munununa uri kure,
27:11b.PRO.027.011 Mwanakomana wangu, iva wakachenjera, ufadze moyo wangu; Kuti ndigone kupindura anondishora.
27:12b.PRO.027.012 Munhu akangwara anoona zvakaipa, ndokuvanda; Asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.
27:13b.PRO.027.013 Munhu anozviita rubatso kumutorwa, umutorere nguvo yake; Umuite rubatso iye akazviita rubatso kumukadzi wokumwe.
27:14b.PRO.027.014 Anoropafadza shamwari yake nenzwi guru, achifumira mangwanani, Achanzi wakatukwa pamusoro pazvo.
27:15b.PRO.027.015 Kudonha kusingaperi pazuva remvura zhinji Nomukadzi anokakavara, zvakafanana.
27:16b.PRO.027.016 Anoda kumudzivisa, anodzidzisa mhepo; Ruoko rwake rworudyi rwakabata mafuta.
27:17b.PRO.027.017 Simbi inorodza simbi; Saizvozvo munhu anorodza chiso cheshamwari yake.
27:18b.PRO.027.018 Ani naani anochengeta muonde, achadya zvibereko zvawo; Anochengeta tenzi wake, achakudzwa.
27:19b.PRO.027.019 Chiso sezvachinotarisana nechiso mumvura, Saizvozvo moyo womunhu unotarisana nomunhu.
27:20b.PRO.027.020 Sheori neAbhadhoni hazvitongoguti; Nameso omunhu haaguti.
27:21b.PRO.027.021 Hari yokunyausa ndeyesirivha, nevira nderendarama; Saizvozvo munhu anozikanwa nezvaanofarira.
27:22b.PRO.027.022 Kunyange ukatswa benzi muduri nomutsi pakati pezviyo zvinotsiwa, Hupenzi hwaro hahungabvi kwariri.
27:23b.PRO.027.023 Shingaira uzive kuti makwai ako akadini; Uchengete zvakanaka mapoka ako.
27:24b.PRO.027.024 Nokuti fuma haigari nokusingaperi; Ko korona inogara kusvikira kumarudzi ose here?
27:25b.PRO.027.025 Uswa hunoenda bumhudza ndokubuda, Nemiriwo yamakomo inovunganidzwa.
27:26b.PRO.027.026 Makwayana anokuvigira zvokufuka zvako, Uye mbudzi ndiwo mutengo weminda.
27:27b.PRO.027.027 Mukaka wembudzi ucharingana zvokudya zvako, nezvokudya zveimba yako, Nokuraramisa varandasikana vako.
28
28:1b.PRO.028.001 Akaipa anotiza kusina anodzingana naye; Asi vakarurama vanotsunga moyo seshumba.
28:2b.PRO.028.002 Nemhaka yokudarika kwenyika, machinda ayo anowanda; Asi nomumwe, ane njere nezivo, icharamba iripo.
28:3b.PRO.028.003 Munhu anoshaiwa amene, anomanikidza varombo, Akafanana nemvura inokukura, isingasiyi zvokudya.
28:4b.PRO.028.004 Vanosiya murayiro, vanorumbidza vakaipa; Asi vanochengeta murayiro, vanoita nharo navo.
28:5b.PRO.028.005 Vanhu vakashata havanzwisisi zvakarurama; Asi vanotsvaka Jehovha vanonzwisisa zvose.
28:6b.PRO.028.006 Murombo, anofamba muzvokwadi yake, Anopfuura asakarurama anofamba nenzira mbiri, kunyange akafuma.
28:7b.PRO.028.007 Anochengeta murayiro, mwanakomana akachenjera; Asi anofambidzana navanhu vana madyo, vanonyadzisa baba vake.
28:8b.PRO.028.008 Anowedzera fuma yake nemhindu kana nokuwedzera kusakarurama, Anounganidzira mumwe achava netsitsi navarombo.
28:9b.PRO.028.009 Anoramba kunzwa murayiro nenzeve yake, Kunyange nomunyengetero wake anonyangadza.
28:10b.PRO.028.010 Ani naani anorashisa vakarurama vafambe nenzira yakaipa, Achawira amene mugomba rake; Asi vakarurama vachagara nhaka yezvakanaka.
28:11b.PRO.028.011 Mupfuri anoti ndakachenjera; Asi murombo, ane njere, anomuferefeta.
28:12b.PRO.028.012 Kana vakarurama vachikunda, mufaro mukuru uriko; Asi kana vakaipa vosimba, vanhu vovanda.
28:13b.PRO.028.013 Anofukidza kudarika kwake, haangavi nomufaro; Asi anozvireurura, achizvirasha, achawana nyasha.
28:14b.PRO.028.014 Munhu anogara achitya, anomufaro; Asi anoomesa moyo wake, achawira munjodzi.
28:15b.PRO.028.015 Seshumba inoomba, nebere rinopota-pota, Ndizvo zvakaita mubati akaipa anobata vanhu varombo.
28:16b.PRO.028.016 Muchinda, anoshaiwa njere, anomanikidza vanhuwo zvikuru; Asi anovenga kuchiva, achawedzera mazuva ake.
28:17b.PRO.028.017 Munhu, anoremedzwa neropa romumwe munhu, Achatizira kugomba; ngaarege kudziviswa nomunhu.
28:18b.PRO.028.018 Ani naani anofamba zvakarurama, acharwirwa; Asi anofamba nenzira dzisakarurama, achawa pakarepo.
28:19b.PRO.028.019 Anorima munda wake, achava nezvokudya zvizhinji; Asi unovangira zvisina maturo, uchava nourombo kwazvo.
28:20b.PRO.028.020 Munhu akatendeka achava namaropafadzo mazhinji; Asi anoda kufuma nokukurumidza, haangakoni kurohwa.
28:21b.PRO.028.021 Kutsaura vanhu hakuna kunaka; Nokuti munhu angadarika nokuda kwechimedu chechingwa.
28:22b.PRO.028.022 Munhu ano ruchiva, anovangira fuma, Asingazivi kuti achawirwa nokushaiwa.
28:23b.PRO.028.023 Anorairira munhu achazowana nyasha pashure, Kupfuura iye anobata kumeso norurimi rwake.
28:24b.PRO.028.024 Anobira baba vake kana amai vake, achiti, Hakuzi kudarika, Uyu ishamwari yoanoparadza.
28:25b.PRO.028.025 Ano mweya wokuchiva anomutsa kukakavara; Asi anovimba naJehovha, achasimbiswa.
28:26b.PRO.028.026 Anotenda moyo wake, ibenzi; Asi anofamba nouchenjeri, acharwirwa.
28:27b.PRO.028.027 Anopa varombo, haangazoshaiwi; Asi anotsinzina meso ake, achatukwa kazhinji.
28:28b.PRO.028.028 Kana vakaipa vosimba, vanhu vovanda; Asi kana voparara, vakarurama vowanda.
29
29:1b.PRO.029.001 Munhu akarairwa kazhinji, achiomesa mutsipa wake, Achaparadzwa pakarepo, kusina chingamubatsira.
29:2b.PRO.029.002 Kana vakarurama vowanda, vanhu vanofara; Asi kana munhu wakaipa achibata ushe, vanhu vanogomera.
29:3b.PRO.029.003 Ani naani anoda uchenjeri, anofadza baba vake; Asi anoshamwaridzana nezvifeve, anorasha fuma yake.
29:4b.PRO.029.004 Mambo anosimbisa nyika yake nokururamisa; Asi munhu wemitero, anoiparadza.
29:5b.PRO.029.005 Munhu anobata wokwake kumeso, Anodzikira tsoka dzake mumbure.
29:6b.PRO.029.006 Pakudarika kwomunhu akashata pano musungo; Asi wakarurama achaimba nokufara kwazvo.
29:7b.PRO.029.007 Akarurama anoziva kururamisira mhaka dzavarombo; Asi akaipa haanzwisisi zivo.
29:8b.PRO.029.008 Vadadi vanopisira guta; Asi vakachenjera vanodzora kutsamwa.
29:9b.PRO.029.009 Kana munhu akarurama ane mhaka nebenzi, Iye achatsamwa nokuseka, asi hakungavi nezororo.
29:10b.PRO.029.010 Vanhu veropa vanovenga akarurama; Asi vakarurama vanotsvaka kuraramisa mweya wake.
29:11b.PRO.029.011 Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose; Asi munhu akachenjera anodzidzora nokudzinyaradza.
29:12b.PRO.029.012 Kana mubati achiteerera nhema, Varanda vake vose vachava vakaipa.
29:13b.PRO.029.013 Murombo nomunhu anomanikidza vanosangana pamwechete; Jehovha anovhenekera meso avose.
29:14b.PRO.029.014 Mambo anoruramisira varombo nokutendeka, Chigaro chake chichasimbiswa nokusingaperi.
29:15b.PRO.029.015 Shamhu nokuraira zvinouyisa huchenjeri; Asi mwana wangoregwa hake anonyadzisa mai vake.
29:16b.PRO.029.016 Kana vakaipa vowanda, kudarika kunowandawo; Asi vakarurama vachaona kuwa kwavo.
29:17b.PRO.029.017 Rairira mwanakomana wako, agokuzorodza; Zvirokwazvo achafadza mweya wako.
29:18b.PRO.029.018 Kana Jehovha asingazviratidzi, vanhu vanoramba kudzorwa; Asi anochengeta murayiro, anomufaro.
29:19b.PRO.029.019 Muranda angaramba kurairirwa namashoko bedzi; Nokuti, kunzwisisa anonzwisisa hake, asi haane hanya nazvo.
29:20b.PRO.029.020 Unoona munhu unokurumidza kutsamwa? Benzi riri nani kuna iye.
29:21b.PRO.029.021 Kana munhu achirera muranda wake zvakanaka kubva pahuduku hwake, Pakupedzisira achada kuva mwanakomana.
29:22b.PRO.029.022 Munhu wakatsamwa anomutsa kukakavara; Munhu ane hasha anokudarika kuzhinji.
29:23b.PRO.029.023 Kuzvikudza kwomunhu kuchamudukupisa; Asi ano mweya unozvininipisa, achakudzwa.
29:24b.PRO.029.024 Ani naani anoshamwaridzana nembavha, anovenga mweya wake; Anonzwa kupikwa, asi haareururi chinhu.
29:25b.PRO.029.025 Kutya munhu kunouyisa musungo; Asi ani naani anovimba naJehovha, achachengetwa.
29:26b.PRO.029.026 Vazhinji vanotsvaka nyasha yomubati; Asi kururamisirwa kwomunhu kunobva kuna Jehovha.
29:27b.PRO.029.027 Munhu asakarurama anonyangadza akarurama; Uye akarurama panzira dzake anonyangadza akaipa.
30
30:1b.PRO.030.001 Mashoko aAguri, mwanakomana waJake; chirevo chake. Murume anoti kuna Itieri, kuna Itieri naUkari,
30:2b.PRO.030.002 Zvirokwazvo, ndiri benzi kupfuura vanhu vose; Handine njere dzomunhu.
30:3b.PRO.030.003 Handina kudzidza uchenjeri, Uye handina zivo yoMutsvene.
30:4b.PRO.030.004 Ndiani akakwira kudenga, akaburukazve? Ndiani akasungira mvura munguvo yake? Ndiani akasungira migumo yose yenyika? Zita rake ndiani, nezita romwanakomana wake, kana uchiriziva?
30:5b.PRO.030.005 Shoko rimwe nerimwe raMwari rakanatswa; Ndiye nhovo yavose vanovanda maari.
30:6b.PRO.030.006 Usawedzera pamashoko ake, Kuti arege kukupa mhosva, uwanikwe une nhema.
30:7b.PRO.030.007 Zvinhu zviviri ndakakumbira kwamuri; Musandirambira izvo, ndisati ndafa.
30:8b.PRO.030.008 Bvisai kure neni zvisina kutendeka nenhema; Regai kundipa urombo kana fuma; Mundigutse nezvokudya zvakandifanira;
30:9b.PRO.030.009 Ndirege kuti kana ndaguta, ndikurambei, ndichiti, Jehovha ndianiko? Kana zvimwe ndive murombo, ndibe, Ndimhure zita raMwari wangu.
30:10b.PRO.030.010 Rega kuudzisira muranda kuna tenzi vake, Arege kukutuka, ukanzi une mhosva.
30:11b.PRO.030.011 Rudzi ruriko runotuka baba varwo, Rusingaropafadzi mai varwo.
30:12b.PRO.030.012 Rudzi ruriko runoti pakuona kwedu takachena kwazvo, Asi rusina kunatswa patsvina yarwo.
30:13b.PRO.030.013 Rudzi ruriko, meso arwo ana manyawi sei! Mafungiro ameso avo akakwidzwa.
30:14b.PRO.030.014 Rudzi ruriko, meno ago akafanana neminondo, nameno eshaya dzarwo samapanga, Kuti rupedze varombo panyika, navanoshaiwa pakati pavanhu.
30:15b.PRO.030.015 Chikweva ropa chinavakunda vaviri, vanoti, Ndipe! Ndipe! Zvinhu zvitatu zviriko zvisingatongoguti, Zvina zvisingatongoti, Zvaringana!
30:16b.PRO.030.016 Sheori; nechizvaro chisingabereki; Pasi pasingaguti mvura; Nomoto, usingati, Zvaringana!
30:17b.PRO.030.017 Ziso rinoseka baba, Rinoshora kuteerera mai, Makunguvo omupata acharinongora, Vana vegondo vacharidya.
30:18b.PRO.030.018 Zvinhu zvitatu zviriko zvinondishamisa, Zvirokwazvo zvina, zvandisingazivi, zvinoti:
30:19b.PRO.030.019 Kufamba kwegondo mudenga; Kufamba kwenyoka paruware; Kufamba kwechikepe pakati pegungwa; Nokufamba kwomurume nomusikana.
30:20b.PRO.030.020 Ndizvo zvakaita kufamba kwomukadzi woupombwe; Anodya, ndokupisika muromo wake, Achiti, Handina kuita chinhu chakaipa.
30:21b.PRO.030.021 Nyika inodedera nokuda kwezvinhu zvitatu; Uye nokuda kwezvina zvaisingadi kuona;
30:22b.PRO.030.022 Nokuda kwomuranda kana achizova mambo; Nokuda kwebenzi, kana raguta zvokudya;
30:23b.PRO.030.023 Nokuda kwomukadzi arambwa, kana azowanikwa; Uye mushandiri, kana azova mugari wenhaka yatenzi wake.
30:24b.PRO.030.024 Zvinhu zvina zviriko panyika zviduku hazvo, Asi zvakachenjera kwazvo, zvinoti:
30:25b.PRO.030.025 Majuru, rudzi rusine simba harwo; Kunyange zvakadaro anounganidza zvokudya zvawo muzhizha;
30:26b.PRO.030.026 Mbira, rudzi rusine simba harwo, Kunyange zvakadaro dzinoita imba yadzo mumatombo;
30:27b.PRO.030.027 Mhashu hadzina mambo , Kunyange zvakadaro dzinofamba zvakanaka dzichiita mapoka;
30:28b.PRO.030.028 Chipfira ungachibata namaoko ako, Kunyange zvakadaro chiri mudzimba dzamadzimambo.
30:29b.PRO.030.029 Zvinhu zvitatu zviriko zvinokufamba kunokudzwa, Zvirokwazvo zvina zvinokufamba kunokudzwa, zvinoti:
30:30b.PRO.030.030 Shumba, mhare pakati pemhuka dzose, Isingatizi mhuka ipi neipi;
30:31b.PRO.030.031 Nemhuka ine zviuno zakasimba, nenhongo yembudzi; Namambo kana anavarwi vake.
30:32b.PRO.030.032 Kana uchinge waita noupenzi, wazvikudza, Kana zvimwe warangarira zvakashata, Pfumbira muromo wako.
30:33b.PRO.030.033 Nokuti mukaka warozva unobudisa mafuta, Nemhino dzadzvinyiwa dzinobudisa ropa, Saizvozvo hasha dzvavambwa dzinobudisa kukakavara.
31
31:1b.PRO.031.001 Mashoko amambo Remueri; zvirevo zvaakadzidziswa namai vake.
31:2b.PRO.031.002 Nhai, mwanakomana wangu! Nhai, mwanakomana wemhiko dzangu!
31:3b.PRO.031.003 Rega kupa vakadzi simba rako, Nenzira dzako kune zvinoparadza madzimambo.
31:4b.PRO.031.004 Iwe Remueri, hazvifaniri madzimambo, hazvifaniri madzimambo kunwa waini; Namachinda kuti, Doro riripiko?
31:5b.PRO.031.005 Varege kunwa, vachizokanganwa murayiro, Varege kukanganisa kururamisira vamwe vanotambudzika.
31:6b.PRO.031.006 Ipai anoda kuparara doro, Neanomoyo unorwadza waini;
31:7b.PRO.031.007 Ngaanwe, akanganwe urombo hwake, Arege kucharangarira kutambudzika kwake.
31:8b.PRO.031.008 Shamisira mbeveve muromo wako, Urwire mhaka dzavose vakadai vakasiyiwa.
31:9b.PRO.031.009 Shamisa muromo wako, utonge zvakarurama, Ururamisire murombo neanoshaiwa.
31:10b.PRO.031.010 Ndianiko angawana mukadzi anozviita zvakanaka? Nokuti mutengo wake unokunda kwazvo mutengo wamaparera.
31:11b.PRO.031.011 moyo womurume wake unomutenda, Naiye haangashaiwi fuma.
31:12b.PRO.031.012 Unoitira murume wake zvakanaka, haamuitiri zvakaipa Mazuva ose oupenyu hwake.
31:13b.PRO.031.013 Anotsvaka mvere noruchinda, Achibata namaoko ake nomufaro.
31:14b.PRO.031.014 Akafanana nezvikepe zvavatengesi; Anondotora zvokudya zvake kure.
31:15b.PRO.031.015 Anomuka huchiri usiku, Nokupa mhuri yake zvokudya, Navashandiri vake basa ravo.
31:16b.PRO.031.016 Anorangarira munda, ndokuutenga; Anosima munda wemizambiringa nezvaakawana namaoko ake.
31:17b.PRO.031.017 Anozvisunga chiuno nesimba, Nokusimbisa maoko ake.
31:18b.PRO.031.018 Anoona kuti kushambadzira kwake kwabatsira; Mwenje wake haudzimi vusiku.
31:19b.PRO.031.019 Anotambanudzira ruoko rwake kune chokurukisa; Maoko ake anobata chinorukwa.
31:20b.PRO.031.020 Anotambanudzira murombo ruoko rwake; Anotandavadzira anoshaiwa maoko ake.
31:21b.PRO.031.021 Haatyi chando pamusoro peimba yake, Nokuti mhuri yake yose yakafuka nguvo tsvuku.
31:22b.PRO.031.022 Anozviitira mitsamhiro inoukomba; nguvo yake mucheka wakaisvonaka nomutsvuku.
31:23b.PRO.031.023 Murume wake anozikanwa pamasuo eguta, Kana agere pakati pavakuru venyika.
31:24b.PRO.031.024 Anoita zvokufuka zvomucheka achizvitengesa, Anovigira vatengesi zvisungo zvezviuno.
31:25b.PRO.031.025 Simba nokukudzwa ndizvo zvokufuka zvake; Anoseka kana achifunga nguva inouya.
31:26b.PRO.031.026 Anoshamisa muromo wake nouchenjeri; Rurimi rwake runodzidzisa nounyoro.
31:27b.PRO.031.027 Anotarira zvakanaka kufamba kwemhuri yake, Asi iwe unovakunda vose.Asingadyi zvokudya zvousimbe.
31:28b.PRO.031.028 Vana vake vanomuka, vachimuti, Makaropafadzwa; Nomurume wakewo anomurumbidza, achiti,
31:29b.PRO.031.029 Vakunda vazhinji vakaita zvakanaka,asi iwe unovakunda vose.
31:30b.PRO.031.030 Zvinofadza zvinonyengedzera, unaki hahuna maturo; Asi mukadzi anotya Jehovha, ndiye anofanira kurumbidzwa.
31:31b.PRO.031.031 Chimupai zvakafanira zvaakabata namaoko ake; Mabasa ake ngaamurumbidze pamasuo eguta.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Proverbs (Shona). Proverbs (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C590-6