Psalms (Shona)
1
1:1b.PSA.001.001 Akakomborerwa munhu asingafambi panorangana vakaipa, Asingamiri panzira yavatadzi, Asingagari panogara vadadi.
1:2b.PSA.001.002 Asi anofarira murayiro waJehovha; Anofungisisa murayiro wake masikati nousiku.
1:3b.PSA.001.003 Achafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, Unobereka michero yawo nenguva yawo, Mashizha awo haasvavi; Chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.
1:4b.PSA.001.004 Vakaipa havana kudaro; Asi vakafanana nehundi inopepereswa nemhepo.
1:5b.PSA.001.005 Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongeswa, Navatadzi paungano yavakarurama.
1:6b.PSA.001.006 Nokuti Jehovha anoziva nzira yavakarurama; Asi nzira yavakaipa ichaparadzwa.
2
2:1b.PSA.002.001 Ndudzi dzinoitireiko bope, Navanhu vanofungireiko zvisina maturo?
2:2b.PSA.002.002 Madzimambo enyika anozvigadzira, Navabati vanorangana, Kuzorwa naJehovha nomuzodziwa wake, vachiti,
2:3b.PSA.002.003 Ngatidambure zvisungo zvavo, Ngatirashe mabote avo abve kwatiri.
2:4b.PSA.002.004 Iye, agere kudenga-denga, achaseka; Ishe achavadadira.
2:5b.PSA.002.005 Ipapo achataura kwavari pakutsamwa kwake, Nokuvavhundusa pahasha dzake huru;
2:6b.PSA.002.006 Kunyange zvakadaro ndakagadza mambo wangu paZiyoni, iro gomo rangu dzvene.
2:7b.PSA.002.007 Ndichaparidza chirevo, chinoti, Jehovha akati kwandiri, Ndiwe mwanakomana wangu; Nhasi ndakubereka.
2:8b.PSA.002.008 Kumbira kwandiri, ndikupe ndudzi ive nhaka yako, Nemigumo yenyika zvive zvako.
2:9b.PSA.002.009 Muchavapwanya netsvimbo youtare; Muchavaputsanya sehari yomuumbi.
2:10b.PSA.002.010 Zvino chivai nenjere, imi madzimambo; Munyeverwe, imi vatongi venyika.
2:11b.PSA.002.011 Shumirai Jehovha nokutya, Mufare muchidedera.
2:12b.PSA.002.012 Tsvodai mwanakomana, arege kutsamwa, mufire panzira, Nokuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka. Vakakomborerwa vose vanovimba naye.
3
3:1b.PSA.003.001 Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vawanda sei! Vazhinji vanondimukira.
3:2b.PSA.003.002 Vazhinji variko vanoti kumweya wangu, Haano ruponeso kuna Mwari.
3:3b.PSA.003.003 Asi imi Jehovha muri nhovo yangu kumativi ose; Kudzo yangu, nomusimudzi womusoro wangu,
3:4b.PSA.003.004 Ndinodana kuna Jehovha nenzwi rangu, Iye anondipindura ari pagomo rake dzvene.
3:5b.PSA.003.005 Ndakavata pasi ndikabatwa nehope; Ndikamuka; nokuti Jehovha anonditsigira.
3:6b.PSA.003.006 Handingatyi zviuru zvamazana zvavanhu, Vakandikomberedza kuzorwa neni.
3:7b.PSA.003.007 Simukai, Jehovha; ndirwirei, Mwari wangu; Nokuti makarova vavengi vangu vose pashaya dzavo; Makavhuna meno avakaipa.
3:8b.PSA.003.008 Ruponeso runobva kuna Jehovha; Kukomborera kwenyu ngakuve pamusoro pavanhu venyu.
4
4:1b.PSA.004.001 Ndipindurei kana ndichidana,Mwari wokururama kwangu;Pakumanikidzwa kwangu makandiisa pakafarikana;ndinzwirei tsitsi, munzwe munyengetero wangu.
4:2b.PSA.004.002 Nhai vanakomana vavanhu kukudzwa kwangu kuchashandurwa kunyadziswa kusvikira rinhiko? Muchada zvisina maturo , nekutsvaka nhema kusvikira rinhi?
4:3b.PSA.004.003 Asi zivai kuti Jehovha akazvitsaurira munhu ,anomuda Jehovha uchanzwa kana ndichidana kwaari.
4:4b.PSA.004.004 Ityai murege kutadza; Tauriranai nemoyo yenyu panhovo dzenyu,muti mwii.
4:5b.PSA.004.005 Bayirai zvibayiro zvokururama, muvimbe naJehovha
4:6b.PSA.004.006 Vazhinji variko vanoti,Ndianiko achatiratidza zvakanaka? Jehovha simudzirai pamusoro pedu chiedza chechiso chenyu.
4:7b.PSA.004.007 makaisa mufaro mumoyo mangu,Unopfuura wavanhu kana zviyo zvavo newaini yavo zvawanzwa.
4:8b.PSA.004.008 ndichavata pasi nerugare, ndibatwe nehope; Nokuti ndimi moga Jehovha munondigarisa pakasimba.
5
5:1b.PSA.005.001 Inzwai mashoko angu Jehovha,Rangarirai kufunga komoyo wangu.
5:2b.PSA.005.002 teererai inzwi rokuchema kwangu, imwi Mambo wangu naMwari wangu; Nokuti ndinonyengetera kwamuri.
5:3b.PSA.005.003 Jehovha, muchanzwa inzwi rangu mangwanani;Mangwanani ndichakurongedzerai munyengetero wangu,ndichirindira.
5:4b.PSA.005.004 Nokuti hamuzi Mwari anofarira zvakaipa, munhu, akashata, haangagari nemi.
5:5b.PSA.005.005 Munhu anozvikudza,haangamiriri pamberi penyu;Munovenga vose vanoita zvakaipa.
5:6b.PSA.005.006 Muchaparadza anoreva nhema; Jehovha anosema munhu anoteura ropa neanonyengera.
5:7b.PSA.005.007 Asi kana ndirini, ndichapinda mumba menyu nekuwanda kwevunyoro bwenyu, Ndichanamata ndakaringira kutemberi yenyu tsvene ndichikutyai.
5:8b.PSA.005.008 Ndifambisei, Jehovha, mukururama kwenyu nekuda kwavavengi vangu; Gadzirai nzira yenyu pamberi pangu.
5:9b.PSA.005.009 Nokuti hapana kutendeka pamiromo yavo; Mukati mavo makashata-shata; huro dzavo bwiro bwakashama; Vanobata kumeso norurimi rwavo.
5:10b.PSA.005.010 Muvapei, mhosva, Jehovha ngavawe namano avo;Nokuti vakakumukirai.
5:11b.PSA.005.011 Asi vose vanovimba nemi ngavafare, Ngavadanidzire nomufaro nguva dzose,nokuti imi munovadzitira; Vose vanoda zita renyu ngavafare nemi.
5:12b.PSA.005.012 Nokuti mucharopafadza akarurama; Imi Jehovha, muchamukomberedza nenyasha senhovo.
6
6:1b.PSA.006.001 Haiwa Jehovha, regai kundiraira pakutsamwa kwenyu, Musandirova nekufara kwenyu kukuru.
6:2b.PSA.006.002 Ndinzwirei nyasha, Jehovha;nokuti ndaonda; Ndiponesei,Jehovha nokuti mapfupa angu anotambudzika.
6:3b.PSA.006.003 Mweya wangu unotambudzikawo zvikuru; Asi imwi Jehovha muchanonoka kusvikira mhiko?
6:4b.PSA.006.004 Dzokai Jehovha, murwire mweya wangu; Ndiponesei nokuda kwevunyoro bwenyu.
6:5b.PSA.006.005 Nokuti parufu hapana achakurangarirai; Ndiani achakuvongai paSheori?
6:6b.PSA.006.006 Ndaneta nokugomba kwangu; Usiku humwe nohumwe ndinoshambirisa nhovo dzangu; Ndinonyorovedza mubhedha wangu nemisodzi yangu.
6:7b.PSA.006.007 Ziso rangu rapera nokuchema, Rinosakara nokuda kwavadzivisi vangu.
6:8b.PSA.006.008 Ibvai kwandiri, imi vabati vose vezvakaipa; Nokuti Jehovha akanzwa inzwi rokuchema kwangu.
6:9b.PSA.006.009 Jehovha akanzwa kukumbira kwangu; Jehovha achagamuchira munyengetero wangu.
6:10b.PSA.006.010 Vavengi vangu vose vachanyadzwa nokutambudzika zvikuru; Vachadzoka, vachanyadzwa pakarepo.
7
7:1b.PSA.007.001 Jehovha Mwari wangu, ndinovimba nemi; Ndiponesei kuna vose vanonditeverera, mundirwire;
7:2b.PSA.007.002 Kuti arege kubvambura mweya wangu seshumba, aubvamburanye, ndichishaiwa anondirwira.
7:3b.PSA.007.003 Jehovha Mwari wangu, kana ndichinge ndakaita izvozvi; Kana zvakaipa zvirimo mumaoko angu;
7:4b.PSA.007.004 Kana ndichinge ndakaitira zvakaipa munhu aiva noukama neni; (Izvo, ndakarwira waiva mudzivisi wangu asina mhosva;)
7:5b.PSA.007.005 Muvengi ngaateverere mweya wangu, aubate; Ngaatsikire upenyu hwangu pasi, Aise kukudzwa kwangu muguruva.
7:6b.PSA.007.006 Simukai Jehovha, pakutsamwa kwenyu, Simukirai hasha dzavadzivisi vangu; Mumuke nokuda kwangu; ndimi makaraira kuti zvakarurama zviitwe.
7:7b.PSA.007.007 Ungano yendudzi dzavanhu ngaikupoteredzei; Mudzokere kumusoro pamusoro pavo.
7:8b.PSA.007.008 Jehovha anotonga ndudzi dzavanhu; Nditongei Jehovha sokururama kwangu, uye nezvokwadi zviri mandiri.
7:9b.PSA.007.009 Haiwa, kuipa kwavakaipa ngakugume, asi simbisai akarurama; Nokuti Mwari akarurama anoidza moyo netsvo.
7:10b.PSA.007.010 nhovo yangu iri kuna Mwari, Iye anoponesa vane moyo yakarurama.
7:11b.PSA.007.011 Mwari mutongi akarurama, Zvirokwazvo, ndiMwari unosvotwa zuva rimwe nerimwe.
7:12b.PSA.007.012 Kana munhu asingatendeuki, iye acharodza munondo wake; Akakunga uta hwake, akahugadzira.
7:13b.PSA.007.013 Akazvigadzirirawo nhumbi dzokuuraya nadzo; Anozviitira miseve inopisa.
7:14b.PSA.007.014 Tarira, anotambudzika pakubereka zvakaipa; Zvirokwazvo, akava nemimba yezvakashata, akabereka nhema.
7:15b.PSA.007.015 Akachera hunza, akaidzikisa, Akawira mugomba raakachera iye.
7:16b.PSA.007.016 Zvakashata zvake zvichadzokera pamusoro wake amene, Uye kumanikidza kwake kuchauya pamusoro pedehenya rake.
7:17b.PSA.007.017 Ndichavonga Jehovha nokuda kwokururama kwake; Ndichaimbira zita raJehovha Wokumusoro soro.
8
8:1b.PSA.008.001 Haiwa Jehovha, Ishe wedu,Zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose! Makaisa umambo hwenyu kudenga.
8:2b.PSA.008.002 Pamiromo yavacheche navanomwa makaisa simba, Nokuda kwavadzivisi venyu, Kuti munyaradze muvengi nomutsivi.
8:3b.PSA.008.003 Kana ndichicherekedza denga renyu rose, iro basa reminwe yenyu,Mwedzi nenyeredzi zvamakarongedza;
8:4b.PSA.008.004 Munhu chinyiko, zvamunomufunga? NoMwanakomana womunhu zvamunomushanyira?
8:5b.PSA.008.005 Nokuti makamuita muduku zvishoma kuna Mwari, Makamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa.
8:6b.PSA.008.006 Makamubatisa ushe hwamabasa amaoko enyu; Makaisa zvose pasi petsoka dzake.
8:7b.PSA.008.007 Makwai ose nenzombe, Nemhuka dzesango;
8:8b.PSA.008.008 Neshiri dzokudenga, nehove dzegungwa, Izvo zvose zvinofamba nenzira dzegungwa.
8:9b.PSA.008.009 Haiwa Jehovha, Ishe wedu, Zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!
9
9:1b.PSA.009.001 Ndichavonga Jehovha nomoyo wangu wose; Ndichaparidza mabasa enyu ose anoshamisa.
9:2b.PSA.009.002 Ndichafara nokukufarirai zvikuru; Ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusoro-soro.
9:3b.PSA.009.003 Kana vavengi vangu vachidzokera shure, Vanogumburwa nokupera pamberi penyu.
9:4b.PSA.009.004 Nokuti mandiruramisira mhosva yangu; Makagara pachigaro choushe muchitonga nokururama.
9:5b.PSA.009.005 Makatuka vahedheni, makaparadza vakaipa, Makadzima zita ravo nokusingaperi-peri.
9:6b.PSA.009.006 Vavengi vakapera, vakaparadzwa nokusingaperi; Makaparadza maguta avo, Nechiyeudzo chawo chakaparara.
9:7b.PSA.009.007 Asi Jehovha agere ari mambo nokusingaperi; Akagadzira chigaro chake choushe kuti atonge.
9:8b.PSA.009.008 Achatonga nyika nokururama, Achatonga vanhu zvakafanira.
9:9b.PSA.009.009 Jehovha achava nhare yakasimba kuna vanomanikidzwa, Nhare yakasimba panguva yokutambudzika.
9:10b.PSA.009.010 Vanoziva zita renyu vachavimba nemi; Nokuti imi Jehovha hamuna kurasha vanokutsvakai.
9:11b.PSA.009.011 Imbirai Jehovha nziyo dzokumurumbidza, iye agere paZiyoni; dudzirai zvaakaita pakati pendudzi dzavanhu.
9:12b.PSA.009.012 Nokuti iye, anotsiva ropa, anovarangarira; Haakanganwi kuchema kwavarombo.
9:13b.PSA.009.013 Ndinzwirei tsitsi, Jehovha; Tarirai, kumanikidzwa kwangu navanondivenga, Imi munondisimudza pamisuo yorufu;
9:14b.PSA.009.014 Kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyu kwose; Pamisuo yomukunda weZiyoni, Ndichafarira kuponesa kwenyu.
9:15b.PSA.009.015 Vahedheni vakanyura mugomba ravakachera; Rutsoka rwavo rwakabatwa mumumbure, wavakavanza.
9:16b.PSA.009.016 Jehovha wakazvizivisa, akatonga; Akaipa wakateyiwa nebasa ramaoko ake.
9:17b.PSA.009.017 Vakaipa vachadzokera kuSheori, Ivo vahedheni vose, vakakanganwa Mwari.
9:18b.PSA.009.018 Nokuti anoshaiwa haangakanganikwi nokusingaperi, Nokutarira kwomurombo hakungaperi nokusingaperi.
9:19b.PSA.009.019 Simukai Jehovha; munhu ngaarege kukunda; Vahedheni ngavatongwe pamberi penyu.
9:20b.PSA.009.020 Chivatyisai, Jehovha; Vahedheni ngavazive kuti vanongova vanhu.
10
10:1b.PSA.010.001 Munomirireiko kure, Jehovha? Munozvivanzireiko panguva dzokutambudzika?
10:2b.PSA.010.002 Pakuzvikudza kwake akaipa anotambudza murombo zvikuru; Ngavabatwe namano avakafunga.
10:3b.PSA.010.003 Nokuti wakaipa anozvirumbidza pamusoro pezvinoda moyo wake, Anoruchiva anoramba Jehovha nokumuzvidza.
10:4b.PSA.010.004 Nokuzvikudza kwechiso chake, wakaipa anoti, Haangabvunzi. Ndangariro dzake dzose dzinoti, Hakuna Mwari.
10:5b.PSA.010.005 Nzira dzake dzakasimba nguva dzose; Zvamunotonga imi zviri kure kumusoro, haazvioni; Kana vari vadzivisi vake vose, anovashora.
10:6b.PSA.010.006 Anoti mumoyo make, Handingazununguswi; Handingavi panhamo kusvikira kumarudzi angu ose.
10:7b.PSA.010.007 Muromo wake uzere nokutuka nokunyengera nokumanikidza; Zvakashata nezvakaipa zviri pasi porurimi rwake.
10:8b.PSA.010.008 Anogara panzvimbo dzokuvanda dzemisha; Pakavanda ndipo paanouraya asina mhosva; Meso ake anovandira asina wokumubatsira.
10:9b.PSA.010.009 Anovandira pakavanda seshumba panzvimbo yayo; Anovanda kuti abate murombo; Anobata murombo, kana achimukakatira mumumbure wake.
10:10b.PSA.010.010 Anonyangira, anokotama pasi, Vasina mubatsiri vanowiswa nesimba rake.
10:11b.PSA.010.011 Anoti mumoyo make, Mwari akanganwa; Anovanza chiso chake, haangatongozvioni.
10:12b.PSA.010.012 Simukai Jehovha; Mwari simudzai ruoko rwenyu; Regai kukanganwa varombo.
10:13b.PSA.010.013 Akaipa anozvidzireiko Mwari, Achiti mumoyo wake, Hangabvunzi?
10:14b.PSA.010.014 Mazviona henyu; nokuti munoona kutambudzika nokuchema, kuti muzvibate muruoko rwenyu; asinamubatsiri anozviisa kwamuri; Makava mubatsiri wenherera.
10:15b.PSA.010.015 Vhunai ruoko rwowakaipa. Kana ari munhu akashata, nzverai zvakaipa zvake, kusvikira musingazozviwani.
10:16b.PSA.010.016 Jehovha ndiye Mambo . nokusingaperi-peri; Vahedheni vakaparadzwa munyika yake.
10:17b.PSA.010.017 Jehovha, makanzwa zvinodikanwa navanyoro; Muchasimbisa moyo yavo, mucharerekera nzeve yenyu;
10:18b.PSA.010.018 Kuti mutongere nherera neanotambudzwa, Kuti munhu wapanyika arege kuramba achivhundusa.
11
11:1b.PSA.011.001 Ndinovimba naJehovha; Munoreva seiko kumweya wangu, muchiti, Tizira kugomo rako seshiri?
11:2b.PSA.011.002 Nokuti, tarira, vakaipa vanohwembura uta, Vanogadzira museve wavo parukungiso, Kuti vafure anomoyo wakarurama parima.
11:3b.PSA.011.003 Kana nheyo dzakaparadzwa, Akarurama angaiteiko?
11:4b.PSA.011.004 Jehovha uri mutemberi yake tsvene, Iye Jehovha, chigaro chake choushe chiri kudenga; Meso ake anotarira, mafungiro ameso ake anoidza vana vavanhu.
11:5b.PSA.011.005 Jehovha anoidza vakarurama; Asi mweya wake unovenga wakaipa neanomanikidza.
11:6b.PSA.011.006 Achanisira misungo pamusoro pavakaipa; Moto nesuriferi nemhepo inopisa, ndiwo uchava mukombe wavo wavakagoverwa.
11:7b.PSA.011.007 Nokuti Jehovha akarurama; anoda zvakarurama; Vakarurama vachaona chiso chake.
12
12:1b.PSA.012.001 Batsirai, Jehovha; nokuti vanoda Mwari vopera; Nokuti vakatendeka havachipo pakati pavana vavanhu.
12:2b.PSA.012.002 Vanotaura mumwe nomumwe zvisina maturo nowokwake; Vanotaura nomuromo unobata kumeso, uye nemoyo miviri.
12:3b.PSA.012.003 Jehovha achagura miromo yose inobata kumeso, Norurimi runotaura zvinhu zvikuru;
12:4b.PSA.012.004 Ivo vakati, Tichakunda norurimi rwedu; Miromo yedu ndeyedu; ndianiko angava ishe wedu?
12:5b.PSA.012.005 Nokuda kwokumanikidzwa kwavarombo, nokugomera kwavanoshaiwa, Ndichamuka zvino nokuda kwaizvozvo, ndizvo zvinotaura Jehovha; Ndichamuisa pakasimba ipo paanoshuva.
12:6b.PSA.012.006 Mashoko aJehovha mashoko akachena; Sesirivha yakaidzwa mubisiro panyika, Yakanatswa kanomwe.
12:7b.PSA.012.007 Muchavachengeta, Jehovha, Muchavachengeta parudzi urwu nokusingaperi.
12:8b.PSA.012.008 Vakaipa vanofamba pamativi ose, Kana zvakashata zvichikudzwa pakati pavanakomana vavanhu.
13
13:1b.PSA.013.001 Jehovha muchandikanganwa nokusingaperi kusvikira rinhi? Muchandivanzira chiso chenyu kusvikira rinhiko?
13:2b.PSA.013.002 Ndichafunga mano mumweya mangu kusvikira rinhi, Ndine shungu pamoyo pangu zuva rimwe nerimwe? Muvengi wangu achandikurira kusvikira rinhi?
13:3b.PSA.013.003 Rangarirai, mundipindure, Jehovha Mwari wangu; Vhenekerai meso angu, ndirege kuvata hope dzokufa;
13:4b.PSA.013.004 Muvengi wangu arege kuti, Ndamukunda; Vadzivisi vangu varege kufara kana ndichizununguka.
13:5b.PSA.013.005 Asi ndakavimba nenyasha dzenyu; moyo wangu uchafara nokuponesa kwenyu;
13:6b.PSA.013.006 Ndichaimbira Jehovha, Nokuti akandiitira zvakanaka.
14
14:1b.PSA.014.001 Benzi rakati mumoyo maro, Mwari haako. Vakaora, vakabata mabasa anonyangadza; Hapana anoita zvakanaka.
14:2b.PSA.014.002 Jehovha ari kudenga, akatarira pasi kuvana vavanhu, Kuti aone kana akachenjera aripo, Anotsvaka Mwari.
14:3b.PSA.014.003 Vakatsauka vose, vakasvibiswa pamwechete; Hapana anoita zvakanaka, kunyange nomumwe.
14:4b.PSA.014.004 Ko vaiti vose vezvakaipa havana zivo here? Ivo vanodya vanhu vangu sezvavanodya chingwa, Vasingadani kuna Jehovha.
14:5b.PSA.014.005 Vakanga vachitya zvikuru ipapo; Nokuti Mwari anogara parudzi rwavakarurama.
14:6b.PSA.014.006 Munonyadzisa zano romurombo, Asi Jehovha ndiye utiziro hwake.
14:7b.PSA.014.007 Dai kuponeswa kwalsiraeri kwaibva paZiyoni! Kana Jehovha achidzosa vanhu vake pakutapwa, Ipapo Jakobho achafarisisa kwazvo, naIsiraeri achafara.
15
15:1b.PSA.015.001 Jehovha, ndianiko angatsaukira mutende renyu? Ndianiko angagara pagomo renyu dzvene?
15:2b.PSA.015.002 Uyo, anofamba asina mhosva, anoita zvakarurama, Anotaura zvokwadi mumoyo make.
15:3b.PSA.015.003 Iye asina makuhwa parurimi rwake, Asingaitiri shamwari yake zvakaipa, Asingatuki waagere naye.
15:4b.PSA.015.004 Munhu akashata anozvidzwa naye; Asi anokudza vanotya Jehovha. Iye anoti kana achinge apika, haangazoshanduri shoko rake, kunyange zvikava zvakaipa kwaari.
15:5b.PSA.015.005 Iye asingarevi mhindu pamari yake, Kana kugamuchira chipo pamusoro pausina mhosva. Munhu anoita zvinhu izvozvi haangatongozununguswi.
16
16:1b.PSA.016.001 Ndichengetei, Mwari, nokuti ndinovimba nemi.
16:2b.PSA.016.002 Ndakati kuna Jehovha, Ndimi Ishe wangu; Kunze kwenyu handine chinhu chakanaka.
16:3b.PSA.016.003 Kana vari vatsvene, vari panyika, Ndivo vakaisvonaka vandinofarira zvikuru.
16:4b.PSA.016.004 Kuchema kuchawanzwa kwavanovigira mumwe mwari zvipo; Zvipiriso zvavo zvinodururwa zveropa handingazvidururi, Namazita avo handingaarevi nemiromo yangu.
16:5b.PSA.016.005 Jehovha ndiye mugove wenhaka yangu nowomukombe wangu; Munochengeta mugove wangu.
16:6b.PSA.016.006 Rwonzi rwokuyera rwakandiyerera nzvimbo dzakanaka; Zvirokwazvo, nhaka yangu yakaisvonaka.
16:7b.PSA.016.007 Ndicharumbidza Jehovha akandipa mano, Zvirokwazvo, itsvo dzangu dzinondidzidzisa panguva dzousiku.
16:8b.PSA.016.008 Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose; Zvaari kurudyi rwangu, handingazununguswi.
16:9b.PSA.016.009 Naizvozvo moyo wangu unofara, kukudzwa kwangu kunofarisisa; Nyama yanguvo ichagara yakachengetwa.
16:10b.PSA.016.010 Nokuti hamungasiyi mweya wangu muSheori; Hamungatenderi mutsvene wenyu kuti aone kuora.
16:11b.PSA.016.011 Mundiratidza nzira youpenyu; Mufaro wakazara uri pamberi pangu; Paruoko rwenyu rworudyi panezvinofadza nokusingaperi.
17
17:1b.PSA.017.001 Inzwai zvakarurama Jehovha, muteerere kuchema kwangu; Rerekerai nzeve dzenyu kumunyengetero wangu, unobva pamiromo isinganyengeri.
17:2b.PSA.017.002 Kutongwa kwangu ngakubve pamberi penyu; Meso enyu ngaatarire zvakarurama.
17:3b.PSA.017.003 Makaidza moyo wangu; makandishanyira usiku; Makandiidza, mukasawana kufunga kwakaipa mandiri Ndakazvisunga kuti muromo wangu urege kudarika.
17:4b.PSA.017.004 Kana ari mabasa avanhu; neshoko remiromo yenyu, Ini ndakanzvenga nzira dzomuparadzi.
17:5b.PSA.017.005 Kutsika kwangu kwakarambira panzira dzenyu, Tsoka dzangu hadzina kutedzemuka.
17:6b.PSA.017.006 Ini ndakadana kwamuri, nokuti muchandipindura, imi Mwari; Rerekerai nzeve dzenyu kwandiri, munzwe kutaura kwangu.
17:7b.PSA.017.007 Ratidzai unyoro hwenyu hunoshamisa, imi, munoponesa vanovimba nemi, Imi munoponesa noruoko rwenyu rworudyi, ava vanovimba nemi Kuna vanovamukira simba.
17:8b.PSA.017.008 Ndichengetei semboni yeziso renyu, Ndivanzei pasi pomumvuri wamapapiro enyu,
17:9b.PSA.017.009 Kunavakaipa, vanondiparadza, Ivo vavengi vangu vakaipa, vanondikomba.
17:10b.PSA.017.010 Vakadzivira moyo yavo;
17:11b.PSA.017.011 Vanotaura vachikudza nemiromo yavo. Vakatikomba zvino pakufamba kwedu; Vanocherekedza nameso avo kuti vatiwisire pasi.
17:12b.PSA.017.012 Vakafanana neshumba inokarira kuparadza, somwana weshumba inovandira panzvimbo dzakavanda.
17:13b.PSA.017.013 Simukai, Jehovha, Mirai pamberi pake, mumuwisire pasi; Rwirai mweya wangu nomunondo wenyu kuna vakaipa;
17:14b.PSA.017.014 Kuvanhu, noruoko rwenyu imi Jehovha, Kuvanhu venyika, vanomugove wavo paupenyu uhwu, Vamunozadza dumbu ravo nefuma yenyu; Vana vana vazhinji, Vanosiyira vacheche vavo zvakasara zvefuma yavo.
17:15b.PSA.017.015 Ini ndichaona chiso chenyu pakururama; Ndichaguta nomufananidzo wenyu pakumuka kwangu.
18
18:1b.PSA.018.001 Ndinokudisai, Jehovha, simba rangu.
18:2b.PSA.018.002 Jehovha idombo rangu, nenhare yangu, nomurwiri wangu; Mwari wangu, dombo rangu, wandichavimba naye; nhovo yangu, norunyanga rwokuponeswa kwangu, shongwe yangu yakakwirira.
18:3b.PSA.018.003 Ndichadana kuna Jehovha, iye anofanirwa nokurumbidzwa; Naizvozvo ndichaponeswa kuna vavengi vangu.
18:4b.PSA.018.004 Mabote orufu akandikomba; Uye nzizi dzezvakaipa dzakandivhundusa.
18:5b.PSA.018.005 Mabote eSheori akandisunga; Misungo yorufu yakandiwira.
18:6b.PSA.018.006 Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, Ndikadana kuna Mwari wangu; Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; Kuchema kwangu pamberi pake kukasvika munzeve dzake.
18:7b.PSA.018.007 Ipapo nyika yakazununguka, ikadedera; Nheyo dzamakomowo dzikadengenyeka, Dzikazununguswa, nokuti akanga akatsamwa.
18:8b.PSA.018.008 Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake, Uye moto wakabuda mumuromo make, wakaparadza; Mazimbe akabatidzwa nawo.
18:9b.PSA.018.009 Akakotamisa kudenga-dengawo, akaburuka; Nerima guru rakanga riri pasi petsoka dzake.
18:10b.PSA.018.010 Akatasva kerubhi, akabhururuka; Zvirokwazvo, akabhururuka pamapapiro emhepo.
18:11b.PSA.018.011 Rima akariita nzvimbo yake yokuvanda, tende rake rakamupoteredza; Kusviba kwemvura zhinji, namakore matema okudenga.
18:12b.PSA.018.012 Nokupenya kwakanga kuri pamberi pake makore ake matema akapfuura, Nechimvuramabwe namazimbe omoto.
18:13b.PSA.018.013 Jehovha akatinhirawo kudenga-denga, Wokumusorosoro akataura nenzwi rake; Chimvuramabwe namazimbe omoto.
18:14b.PSA.018.014 Akatuma miseve yake, akavaparadza; Zvirokwazvo, nemheni zhinji, akavavhundusa.
18:15b.PSA.018.015 Ipapo migero yemvura zhinji yakaonekwa, Uye nheyo dzenyika dzakafukurwa, Nokutuka kwenyu, Jehovha, Nokufema kwomweya wemhino dzenyu.
18:16b.PSA.018.016 Wakatambanudza ruoko rwake ari kumusoro, akanditora, Akandinyukura pamvura zhinji.
18:17b.PSA.018.017 Akandirwira pamuvengi wangu ane simba, Nokuna vanondivenga, nokuti vakanga vondikurira.
18:18b.PSA.018.018 Vakandivinga nezuva renjodzi yangu, Asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu.
18:19b.PSA.018.019 Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana, Akandirwira, nokuti akanga achindifarira.
18:20b.PSA.018.020 Jehovha akandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Akandipa mubayiro wakaenzana nokuchena kwamaoko angu.
18:21b.PSA.018.021 Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha, Handina kubva kuna Mwari wangu nokunyengera.
18:22b.PSA.018.022 Nokuti zvose zvaakatonga zvakanga zviri pamberi pangu, Handina kusundira kure neni zvaakatema.
18:23b.PSA.018.023 Ndakanga ndakaruramawo kwaari, Ndakazvichengeta ini pazvakaipa zvangu.
18:24b.PSA.018.024 Naizvozvo Jehovha akandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Zvakaenzana nokuchena kwamaoko angu pamberi pake.
18:25b.PSA.018.025 Ane ngoni munomuitirawo nengoni, Nomunhu wakarurama kwazvo, munomuitirawo zvakarurama;
18:26b.PSA.018.026 Akanaka munomuitirawo zvakanaka, Nowakatsauka, munomuitirawo nehasha.
18:27b.PSA.018.027 Nokuti muchaponesa vanhu vanotambudzika; Asi muchaderedza meso avanozvikudza.
18:28b.PSA.018.028 Nokuti imi muchatungidza mwenje wangu; Jehovha Mwari wangu achavhenekera rima rangu.
18:29b.PSA.018.029 Nokuti nemi ndichavamba hondo, Kana ndina Mwari wangu ndichadarika rusvingo.
18:30b.PSA.018.030 Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana kwazvo; Shoko raJehovha rakaidzwa; Ndiye nhovo yavose vanovimba naye.
18:31b.PSA.018.031 Nokuti ndianiko Mwari, asi iye Jehovha? Ndianiko dombo, asi iye Mwari wedu?
18:32b.PSA.018.032 Iye Mwari, anondisunga chiuno nesimba, Anokwanisa nzira yangu.
18:33b.PSA.018.033 Anoita tsoka dzangu dzive setsoka dzenondokadzi, Anondiisa pamatunhu angu akakwirira.
18:34b.PSA.018.034 Anodzidzisa maoko angu kurwa; Naizvozvo maoko angu anhwembura uta hwendarira.
18:35b.PSA.018.035 Makandipawo nhovo yokuponesa kwenyu; Ruoko rwenyu rworudyi rwakanditsigira, Uye unyoro hwenyu hwakandiita mukuru.
18:36b.PSA.018.036 Makandiitira nzvimbo yakafarikana pandingatsika; Uye tsoka dzangu hadzina kutedzemuka.
18:37b.PSA.018.037 Ndichateverera vavengi vangu nokuvabata. Handingadzokizve kusvikira vapedzwa.
18:38b.PSA.018.038 Ndichavabaya, vakoniwe kusimuka; Vachawira pasi petsoka dzangu.
18:39b.PSA.018.039 Nokuti makandisunga chiuno nesimba rokurwa naro; Makandikundisa vaindimukira.
18:40b.PSA.018.040 Makatizisa vavengi vangu, Kuti ndiparadze vanondivenga.
18:41b.PSA.018.041 Vakachema, asi kwakanga kusina anoponesa, Kuna Jehovha, asi haana kuvapindura.
18:42b.PSA.018.042 Ipapo ndakavapwanya-pwanya seguruva pamberi pemhepo; Ndakavarashira kure samatope enzira dzomumusha.
18:43b.PSA.018.043 Makandirwira pakukakavadzana kwavanhu; Makandiita mukuru wendudzi; Vanhu vandakanga ndisingazivi, vachandishumira.
18:44b.PSA.018.044 Vachateerera pakarepo kana vachindinzwa, Vatorwa vachanamata kwandiri.
18:45b.PSA.018.045 Vatorwa vachatorerwa simba, Vachabuda pavaivanda vachidedera.
18:46b.PSA.018.046 Jehovha mupenyu; dombo rangu ngarikudzwe; Mwari wokuponeswa kwangu ngaarumbidzwe.
18:47b.PSA.018.047 Ndiye Mwari anonditsivira, Anondikundisa ndudzi dzavanhu.
18:48b.PSA.018.048 Iye anondirwira kuvavengi vangu; Zvirokwazvo, munondisimudzira kumusoro kwavanondimukira. Munondirwira pamunhu anomanikidza.
18:49b.PSA.018.049 Naizvozvo ndichakuvongai Jehovha, pakati pendudzi, Ndichaimbira zita renyu nziyo dzokukudza.
18:50b.PSA.018.050 Anopa mambo wake kuponeswa kukuru; ,Anoitira muzodzwa wake unyoro, Iye Dhavhidhi nomwana wake nokusingaperi.
19
19:1b.PSA.019.001 Kudenga-denga kunoparidzira kubwinya kwaMwari; Uye denga rinoratidza basa ramaoko ake.
19:2b.PSA.019.002 Musi mumwe unotaurira mumwe musi, Uye usiku humwe hunopupurira humwe usiku njere.
19:3b.PSA.019.003 Hapana kutaura, kana mashoko; inzwi razvo harinzwiki.
19:4b.PSA.019.004 Rwonzi rwokuyera rwazvo rwakasvika kunyika yose, Namashoko azvo kumugumo wenyika. Akagadzirira zuva tende mukati mazvo.
19:5b.PSA.019.005 Iro rakafanana nechikomba chinobuda mumba macho, Rinofara semhare kumhanya nenzira yaro.
19:6b.PSA.019.006 Kubuda kwaro kunobva pamugumo wedenga, Kupota kwaro kunosvika pakuguma kwarozve; Hakune chinhu chakavanzirwa kupisa kwaro.
19:7b.PSA.019.007 Murayiro waJehovha wakakwana, unoponesa mweya; Chipupuriro chaJehovha ndechazvokwadi, chinopa vasina mano njere.
19:8b.PSA.019.008 Zvinorairwa naJehovha zvakarurama, zvinofadza moyo; Murau waJehovha wakaisvonaka, unovhenekera meso.
19:9b.PSA.019.009 Kutya Jehovha kwakanaka, kunogara nokusingaperi; Zvakatongwa naJehovha ndezvazvokwadi, zvakarurama kwazvo.
19:10b.PSA.019.010 Zvinofanira kutsvakwa kukunda ndarama, zvirokwazvo kukunda ndarama zhinji yakaisvonaka; zvinotapirawo kupfuura huchi nomusvi wamazinga ohuchi.
19:11b.PSA.019.011 Uyezve, muranda wenyu unonyeverwa nazvo; Pakuzvichengeta panomubayiro mukuru. Kana kuri kutsauka, ndiani angakuziva?
19:12b.PSA.019.012 Ndianiko angaziva zvitadzo? Ndinatsei imi pazvitadzo zvakavanzika.
19:13b.PSA.019.013 Dzoraiwo muranda wenyu pazvivi zvokuzvikudza; Ngazvirege kuva nesimba pamusoro pangu; ipapo ndichava akakwana, Handingavi nemhosva yokudarika kukuru.
19:14b.PSA.019.014 Mashoko omuromo wangu nokurangarira kwomoyo wangu ngazvifadze pamberi penyu, Imi Jehovha, dombo rangu, nomudzikunuri wangu.
20
20:1b.PSA.020.001 Jehovha ngaakupindure nomusi wokutambudzika; Zita raMwari waJakobho ngarikuise pakakwirira;
20:2b.PSA.020.002 Ngaakutumire rubatsiro runobva panzvimbo tsvene, Akutsigire nesimba rinobva Ziyoni.
20:3b.PSA.020.003 Ngaarangarire zvipiriso zvako zvose, Agamuchire zvibayiro zvako zvinopiswa;
20:4b.PSA.020.004 Ngaakupe zvinodikanwa nomoyo wako, Ngaaite sezvawakafunga.
20:5b.PSA.020.005 Tichafara kwazvo nokukunda kwenyu, Tichasimudza mireza yedu nezita raMwari wedu; Jehovha ngaaite zvose zvawakakumbira.
20:6b.PSA.020.006 Zvino ndinoziva kuti Jehovha anoponesa muzodziwa wake; Achamupindura ari kudenga kwake kutsvene Nesimba roruoko rwake rworudyi, rinoponesa.
20:7b.PSA.020.007 Vamwe vanovimba nengoro, vamwe namabhiza; Asi isu tichareva zita raJehovha Mwari wedu.
20:8b.PSA.020.008 Ivo vakotamiswa, vawira pasi; Asi isu tasimuka, timire zvakanaka.
20:9b.PSA.020.009 Ponesai, Jehovha; Mambo ngaatipindure kana tichidana.
21
21:1b.PSA.021.001 Mambo uchafara nesimba renyu, Jehovha; Achafarira kuponesa kwenyu zvikuru sei!
21:2b.PSA.021.002 Makamupa zvakadikanwa nomoyo wake, Hamuna kuramba kukumbira kwemiromo yake.
21:3b.PSA.021.003 Nokuti munomuchingura nemikomborero yezvakanaka; Munodzika korona yendarama yakaisvonaka pamusoro wake.
21:4b.PSA.021.004 Akakumbira upenyu kwamuri, mukamupa ihwo; Namazuva mazhinji nokusingaperi-peri.
21:5b.PSA.021.005 Kurumbidzwa kwake kukuru nokuda kwokuponesa kwenyu, Makaisa pamusoro pake kukudzwa noumambo.
21:6b.PSA.021.006 Nokuti munomukomborera zvikuru nokusingaperi; Munomufadza nomufaro pamberi penyu.
21:7b.PSA.021.007 Nokuti mambo anovimba naJehovha, Nounyoro hwoWokumusorosoro haangazunguswi.
21:8b.PSA.021.008 Ruoko rwenyu ruchawana vavengi venyu vose; Ruoko rwenyu rworudyi ruchawana vose vanokuvengai.
21:9b.PSA.021.009 Muchavaita sevira romoto nenguva yokutsamwa kwenyu. Jehovha achavamedza nehasha dzake, Moto uchavaparadza.
21:10b.PSA.021.010 Muchaparadza zvibereko zvavo panyika, Navana vavo pakati pavana vavanhu.
21:11b.PSA.021.011 Nokuti vakafunga kukuitirai zvakaipa; vakafunga zano rakaipa, asi havagoni kuzviita.
21:12b.PSA.021.012 Nokuti muchavafuratidza, Muchagadzira ungiso dzouta hwenyu kuvapfura pazviso zvavo.
21:13b.PSA.021.013 Simukai Jehovha, nesimba renyu; Naizvozvo tichaimba nokukudza chikuriri chenyu.
22
22:1b.PSA.022.001 Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko? Munomirireiko kure pakundibatsira, napamashoko okugomba kwangu?
22:2b.PSA.022.002 Mwari wangu, ndinodana masikati, asi hamupinduri; Nousiku, asi handiwani zororo.
22:3b.PSA.022.003 Asi imi muri mutsvene, Imi mugere parumbidzo dzaIsiraeri.
22:4b.PSA.022.004 Madzibaba edu akavimba nemi; Vakavimba, imi mukavarwira.
22:5b.PSA.022.005 Vakachema kwamuri, vakarwirwa; Vakavimba nemi, vakasanyadziswa.
22:6b.PSA.022.006 Asi ini ndiri honye, handizi munhu; Ndiri chinhu chinozvidzwa navanhu, chinoshorwa navanhu vose.
22:7b.PSA.022.007 Vose, vanondiona vanondiseka; Vanoshamisa muromo, vanodzungudza misoro, vachiti,
22:8b.PSA.022.008 Chizviisai kuna Jehovha; iye ngaamurwire; Ngaamurwire, zvaanomufarira iye.
22:9b.PSA.022.009 Asi ndimi makandibudisa pachizvaro; Makandivimbisa nemi ndichiri pamazamu amai vangu.
22:10b.PSA.022.010 Ndakaiswa kwamuri kubva pachizvaro; Imi muri Mwari wangu kubva padumbu ramai vangu.
22:11b.PSA.022.011 Regai kuva kure neni; nokuti njodzi iri pedo; Nokuti hapana angabatsira.
22:12b.PSA.022.012 Hondo zhinji dzakandikomba; Hondo dzine simba dzaBhashani dzakandipoteredza.
22:13b.PSA.022.013 Dzinondishamisira miromo yadzo, Seshumba inoparadza ichiomba.
22:14b.PSA.022.014 Ndakadururwa semvura, Mapfupa angu ose akasvodogoka; moyo wangu wakafanana nenamo; Wakanyauka mukati moura hwangu.
22:15b.PSA.022.015 Simba rangu rakaoma sechaenga; Rurimi rwangu rwakanamatira pashaya dzangu; Makandiisa paguruva rorufu.
22:16b.PSA.022.016 Nokuti imbwa dzakandikomberedza; Ungano yavanoita zvakaipa yakandipoteredza; Vakaboora maoko angu namakumbo angu;
22:17b.PSA.022.017 Ndingaverenga mapfupa angu ose; Vanonditarira nokundinananidza;
22:18b.PSA.022.018 Vanogovana nguvo dzangu pakati pavo, Vanokanda mijenya pamusoro pehanzu yangu.
22:19b.PSA.022.019 Asi imi Jehovha, regai kuva kure neni; Imi simba rangu, kurumidzai kundibatsira.
22:20b.PSA.022.020 Rwirai mweya wangu pamunondo; Mudikanwa wangu pasimba rembwa.
22:21b.PSA.022.021 Ndiponesei pamuromo weshumba; Zvirokwazvo, makandipindura ndiri pakati penyanga dzenyati.
22:22b.PSA.022.022 Ndichadudzira zita renyu kuhama dzangu; Ndichakurumbidzai pakati peungano.
22:23b.PSA.022.023 Imi munotya Jehovha, murumbidzei; Imi mose vana vaJakobho, mukudzei; Mumutyei, imi mose vana vaIsiraeri.
22:24b.PSA.022.024 Nokuti haana kuzvidza kana kusema dambudziko raanotambudzwa; Kana kumuvanzira chiso chake; Asi panguva yaakachema kwaari akamunzwa.
22:25b.PSA.022.025 Kurumbidza kwangu paungano huru kunobva kwamuri; Ndicharipa mhiko dzangu pamberi pavanomutya.
22:26b.PSA.022.026 Vanyoro vachadya vakaguta; Vanotsvaka Jehovha ndivo vachamurumbidza; moyo yenyu ngairarame nokusingaperi.
22:27b.PSA.022.027 Migumo yose yenyika icharangarira nokudzokera kuna Jehovha; Marudzi ose avahedheni achanamata kwamuri.
22:28b.PSA.022.028 Nokuti ushe ndohwaJehovha; Ndiye mubati wavahedheni.
22:29b.PSA.022.029 Vakuru vose venyika vachadya nokunamata; Vose vanoburukira kuguruva vachapfugama pamberi pake, Naiye asingagoni kuraramisa mweya wake.
22:30b.PSA.022.030 Vana vake vachanamata kwaari; Rudzi runotevera ruchaudzwa zvaJehovha.
22:31b.PSA.022.031 Vachauya vachidudzira kururama kwake Kuvanhu vachazozvarwa, kuti ndiye wakazviita.
23
23:1b.PSA.023.001 Jehovha ndiye mufudzi wangu; Hapana chandingashaiwa.
23:2b.PSA.023.002 Anondivatisa pasi pamafuro manyoro; Anondisesedza pamvura inozorodza.
23:3b.PSA.023.003 Anoponesa mweya wangu; Anondifambisa panzira dzokururama nokuda kwezita rake.
23:4b.PSA.023.004 Zvirokwazvo, kunyange ndikafamba mumupata womumvuri worufu, Handingatongotyi zvakaipa; nokuti imi muneni; Tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza.
23:5b.PSA.023.005 Munondigadzirira chokudya pamberi pavadzivisi vangu; Makazodza musoro wangu namafuta; mukombe wangu unopfachuka.
23:6b.PSA.023.006 Zvirokwazvo unyoro nenyasha zvichanditevera mazuva ose oupenyu hwangu; Ini ndichagara mumba maJehovha mazuva namazuva.
24
24:1b.PSA.024.001 Nyika ndeyaJehovha, nokuzara kwayo; Nyika yose navageremo.
24:2b.PSA.024.002 Nokuti wakaiteya pamusoro pamakungwa, Nokuisimbisa pamusoro penzizi.
24:3b.PSA.024.003 Ndiani angakwira mugomo raJehovha? Ndiani ungamira panzvimbo yake tsvene?
24:4b.PSA.024.004 Uyo anamaoko akachena, nomoyo wakanaka kwazvo; Asingasimudziri moyo wake kune zvisina maturo, Neasina kupika nhema.
24:5b.PSA.024.005 Iye achapiwa mukomborero naJehovha, Nokururamiswa naMwari muponesi wake.
24:6b.PSA.024.006 Urwu ndirwo rudzi rwavanomutsvaka, Vanotsvaka chiso chenyu, imi Mwari waJakobho.
24:7b.PSA.024.007 Simudzai misoro yenyu, imi masuo; Musimudzwe imi, magonhi akare-kare; Kuti Mambo wokubwinya apinde.
24:8b.PSA.024.008 Ndianiko iye Mambo wokubwinya? Ndiye Jehovha ane simba noumhare, Iye Jehovha anoumhare pakurwa.
24:9b.PSA.024.009 Simudzai misoro yenyu, imi masuo; Muisimudze, imi magonhi akare-kare; Kuti Mambo wokubwinya apinde.
24:10b.PSA.024.010 Ndianiko uyu Mambo wokubwinya? Jehovha wehondo, Ndiye Mambo wokubwinya.
25
25:1b.PSA.025.001 Jehovha, ndinosimudzira moyo wangu kwamuri.
25:2b.PSA.025.002 Mwari wangu, ndinovimba nemi, Ngandirege kunyadziswa; Vavengi vangu ngavarege kundikunda.
25:3b.PSA.025.003 Zvirokwazvo, hapana munhu anokumirirai anganyadziswa; Vachanyadziswa ndivo vanonyengera pasina chinhu.
25:4b.PSA.025.004 Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehovha; Ndidzidzisei nzira dzenyu.
25:5b.PSA.025.005 Ndiperekedzei muzvokwadi yenyu, mundidzidzise; Nokuti ndimi Mwari muponesi wangu; Ndinokutarirai zuva rose.
25:6b.PSA.025.006 Rangarirai, Jehovha, nyasha yenyu huru nounyoro hwenyu; Nokuti zvaivapo kare nakare.
25:7b.PSA.025.007 Regai kurangarira zvivi zvohuduku hwangu, nokudarika kwangu; Mundirangarire nounyoro hwenyu, Nokuda kwokunaka kwenyu,
25:8b.PSA.025.008 Jehovha. akanaka, akarurama; Saka acharaira vatadzi panzira.
25:9b.PSA.025.009 Achaperekedza vanyoro munezvakarurama; Achadzidzisa vanyoro nzira yake.
25:10b.PSA.025.010 Nzira dzose dzaJehovha ndedzounyoro nezvokwadi Kunavanochengeta sungano yake nezvipupuriro zvake.
25:11b.PSA.025.011 Nokuda kwezita renyu, Jehovha, Kanganwirai zvakaipa zvangu, nokuti zvikuru.
25:12b.PSA.025.012 Munhu ndoupiko anotya Jehovha? Ndiye waachadzidzisa nzira yaanofanira kusanangura.
25:13b.PSA.025.013 Mweya wake uchagara zvakanaka; Uye vana vake vachagara nhaka yenyika.
25:14b.PSA.025.014 Zvakavanzwa zvaJehovha ndezvavanomutya; Achavaratidza sungano yake.
25:15b.PSA.025.015 Meso angu anoramba achitarira kuna Jehovha; Nokuti anobvisa tsoka dzangu pamumbure.
25:16b.PSA.025.016 Ringirai kwandiri, mundinzwire nyasha; Nokuti ndiri ndoga, ndinotambudzika.
25:17b.PSA.025.017 matambudziko omoyo wangu awanda kwazvo; Haiwa, ndibudisei panjodzi dzangu.
25:18b.PSA.025.018 Tarirai kutambudzika kwangu nokurwadziwa kwangu; Mundikanganwire zvivi zvangu zvose.
25:19b.PSA.025.019 Tarirai vavengi vangu, nokuti vazhinji; Vanondivenga nehasha dzembengo.
25:20b.PSA.025.020 Chengetai mweya wangu mundirwire; Ndirege kunyadziswa, nokuti ndinovimba nemi.
25:21b.PSA.025.021 Kusanyengera nokururama ngazvindichengete, Nokuti ndinokumirirai.
25:22b.PSA.025.022 dzikunurai Isiraeri, imi Mwari, Panjodzi dzake dzose.
26
26:1b.PSA.026.001 Nditongerei Jehovha, nokuti ndakafamba nokusanyengera kwangu; Ndakavimbawo naJehovha ndisinganyunyuti.
26:2b.PSA.026.002 Ndinzverei Jehovha, ndiidzei, Natsai itsvo dzangu nomoyo wangu.
26:3b.PSA.026.003 Nokuti unyoro hwenyu huri pamberi pameso angu, Ndakafamba muzvokwadi yenyu.
26:4b.PSA.026.004 Handina kugara navanhu venhema, Handingafambidzani navanyengeri.
26:5b.PSA.026.005 Ndinovenga ungano yavanoita zvakaipa, Handingagari navatadzi.
26:6b.PSA.026.006 Ndichashambidza maoko angu ndisina mhosva; Ndigopoteredza aritari yenyu saizvozvo, Jehovha.
26:7b.PSA.026.007 Kuti ndiparidze nenzwi rokuvonga, Ndiudze vanhu zvamabasa enyu ose anoshamisa.
26:8b.PSA.026.008 Jehovha, ndinoda hugaro hweimba yenyu, Nenzvimbo panogara kubwinya kwenyu.
26:9b.PSA.026.009 Regai kusanganisa mweya wangu pamwechete navatadzi, Noupenyu hwangu navateuri veropa;
26:10b.PSA.026.010 Vakabata zvakashata pamaoko avo, Ruoko rwavo rworudyi ruzere nefufuro.
26:11b.PSA.026.011 Asi kana ndirini ndichafamba nokusanyengera kwangu; Ndidzikunurei, mundinzwire tsitsi.
26:12b.PSA.026.012 Rutsoka rwangu rumire pakati chechetere; Ndicharumbidza Jehovha paungano
27
27:1b.PSA.027.001 Jehovha ndiye chiedza changu noMuponesi wangu; ndingagotya aniko? Jehovha ndiye simba roupenyu hwangu; ndingagovhunduswa naniko?
27:2b.PSA.027.002 Vaiti vezvakaipa vakati vachiuya kwandiri kuzodya nyama yangu, Ivo vadzivisi vangu navavengi vangu, vakagumburwa vakawa.
27:3b.PSA.027.003 Kunyange hondo ikandikomba, moyo wangu haungatyi; Kunyange ndikavingwa nokurwa, Nenguva iyo ndichavimba naJehovha.
27:4b.PSA.027.004 Chinhu chimwechete ndakakumbira kuna Jehovha, ndicho chandichatsvaka; Kuti ndigare mumba maJehovha misi yose youpenyu hwangu, Kuti ndione kunaka kwaJehovha, nokurangarira mutemberi yake.
27:5b.PSA.027.005 Nokuti nomusi wenjodzi anondiviga mudumba rake, Uchandivanza pakavanda patende rake; Uchandikwiridza padombo.
27:6b.PSA.027.006 Zvino musoro wangu uchasimudzirwa kumusoro kwavavengi vangu vanondikomba; Ndichamubayira zvibayiro zvomufaro patende rake. Ndichaimba, zvirokwazvo ndichaimbira Jehovha nziyo dzokumurumbidza.
27:7b.PSA.027.007 Inzwai Jehovha, kana ndichidana nenzwi rangu; Ndinzwirei tsitsi, mundipindure.
27:8b.PSA.027.008 Panguva yamakati, Tsvakai chiso changu; moyo wakati kwamuri, Chiso chenyu, Jehovha, ndichachitsvaka.
27:9b.PSA.027.009 Regai kundivanzira chiso chenyu; Musadzinga muranda wenyu pakutsamwa kwenyu; Makanga muri mubatsiri wangu; Regai kundirasha, kana kundisiya, imi Mwari muponesi wangu.
27:10b.PSA.027.010 Nokuti baba vangu namai vangu vakandirasha, Asi Jehovha achandigamuchira.
27:11b.PSA.027.011 Ndidzidzisei nzira yenyu Jehovha; Mundifambise panzira yakati chechetere, Nokuda kwavanondivandira.
27:12b.PSA.027.012 Musandisundira pakuda kwavadzivisi vangu; Nokuti zvapupu zvenhema zvakandimukira, navanofemereka hasha.
27:13b.PSA.027.013 Ndingadai ndakafa hangu, kana ndisina kutenda kuti ndichaona kunaka kwaJehovha. Panyika yavapenyu.
27:14b.PSA.027.014 Rindira Jehovha; Iva nesimba, nomoyo wako utsunge; Ndinoti, rindira Jehovha.
28
28:1b.PSA.028.001 Ndichadana kwamuri, Jehovha; Dombo rangu, regai kundinyararira; Zvimwe, kana mukandinyararira, Ndingafanana navanoburukira kugomba.
28:2b.PSA.028.002 Inzwai inzwi remikumbiro yangu, kana ndichichema kwamuri, Kana ndichisimudzira maoko angu kunzvimbo yomukati yeimba yenyu tsvene.
28:3b.PSA.028.003 Musandibvuta pamwechete navakaipa, Navanoita zvakashata; Ivo vanotaura rugare kuna vavanogara navo, Asi zvakashata zviri mumoyo mavo.
28:4b.PSA.028.004 Muvape zvakaenzana nebasa ravo, uye zvakaenzana nezvakaipa zvavakaita, Muvape zvakaenzana nokubata kwamaoko avo; Muvaitire sezvakavafanira.
28:5b.PSA.028.005 Zvavasina kurangarira mabasa aJehovha, Nezvaakabata namaoko ake, Iye achavaputsa, akasavavakazve.
28:6b.PSA.028.006 Jehovha ngaavongwe, Nokuti akanzwa inzwi rokukumbira kwangu.
28:7b.PSA.028.007 Jehovha ndiye simba rangu nenhovo yangu; moyo wangu wakavimba naye, ndikabatsirwa; Saka moyo wangu unofara kwazvo, Ndichamurumbidza norwiyo rwangu.
28:8b.PSA.028.008 Jehovha ndiye simba ravo, Ndiye nhare yokuponesa kumuzodziwa wake.
28:9b.PSA.028.009 Ponesai vanhu venyu, muropafadze nhaka yenyu; Muvafudzewo, muvatakure nokusingaperi.
29
29:1b.PSA.029.001 Ipai, Jehovha, imi vanakomana vaMwari, Ipai Jehovha kudzo nesimba.
29:2b.PSA.029.002 Ipai Jehovha kudzo yakafanirwa nezita rake; Namatai kuna Jehovha nenguvo tsvene.
29:3b.PSA.029.003 inzwi raJehovha riri pamusoro pemvura zhinji; Mwari wokubwinya unotinhira, Iye Jehovha ari pamusoro pemvura zhinji-zhinji,
29:4b.PSA.029.004 inzwi raJehovha rine simba; inzwi raJehovha rizere noumambo.
29:5b.PSA.029.005 inzwi raJehovha rinovhuna misidhari; Zvirokwazvo, Jehovha anovhunanya misidhari yeRebhanoni.
29:6b.PSA.029.006 Anoipemberesa semhuru; Iro Rebhanoni neSirioni semhuru yenyati.
29:7b.PSA.029.007 inzwi raJehovha rinopamura mirazvo yomoto.
29:8b.PSA.029.008 inzwi raJehovha rinodederesa renje; Jehovha anodederesa renje reKadheshi.
29:9b.PSA.029.009 inzwi raJehovha rinoberekesa nondo, Rinosvuura miti yamatondo; Nomutemberi yake zvose zvinoti, Kubwinya.
29:10b.PSA.029.010 Jehovha akagara pachigaro choushe paboporodzi remvura; Zvirokwazvo, Jehovha anogara ari mambo nokusingaperi.
29:11b.PSA.029.011 Jehovha achapa vanhu vake simba; Jehovha acharopafadza vanhu vake norugare.
30
30:1b.PSA.030.001 Ndichakukudzai zvikuru, Jehovha; nokuti makandisimudza, Hamuna kutendera vavengi vangu kufara nokuda kwangu.
30:2b.PSA.030.002 Jehovha, Mwari wangu, Ndakachema kwamuri, imi mukandiponesa.
30:3b.PSA.030.003 Jehovha, makabudisa mweya wangu paSheori; Makachengeta upenyu hwangu, kuti ndirege kuburukira kugomba.
30:4b.PSA.030.004 Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza, imi vatsvene vake, Muvonge kana muchirangarira zita rake dzvene.
30:5b.PSA.030.005 Nokuti kutsamwa kwake kuripo chinguva chiduku; Asi ngoni dzake ndedzoupenyu hwose. Kuchema kungavapo madekwana, Asi mufaro unosvika mangwanani.
30:6b.PSA.030.006 Kana ndirini, ndakati pakufara kwangu, Handingatongozununguswi.
30:7b.PSA.030.007 Imi Jehovha, nengoni dzenyu makamisa gomo rangu nesimba; Makavanza chiso chenyu; ini ndikatambudzika.
30:8b.PSA.030.008 Ndakachema kwamuri, Jehovha; Uye ndakakumbira kuna Jehovha;
30:9b.PSA.030.009 Ropa rangu ringandibatsireiko, kana ndichaburukira kugomba? Guruva ringakurumbidzai here? Ringadudzira zvokwadi yenyu here?
30:10b.PSA.030.010 Inzwai Jehovha, mundinzwirei tsitsi; Jehovha, ivai mubatsiri wangu.
30:11b.PSA.030.011 Makashandura kuchema kwangu kukava kutamba; Makasunungura gumbo rangu, mukasunga chiuno changu nomufaro;
30:12b.PSA.030.012 Kuti mweya wangu ukuimbirei nziyo dzokurumbidza, urege kunyarara. Jehovha Mwari wangu, ndichakuvongai nokusingaperi.
31
31:1b.PSA.031.001 Jehovha, ndinovimba nemi; ngandirege kutongonyadziswa; Ndirwirei pakururama kwenyu.
31:2b.PSA.031.002 Rerekerai nzeve yenyu kwandiri; kurumidzai kundirwira; Ivai dombo rangu rakasimba, neimba yenhare yokundiponesa.
31:3b.PSA.031.003 Nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu; Naizvozvo nditungamirirei mundifambise nokuda kwezita renyu.
31:4b.PSA.031.004 Ndibvutei pamumbure wavakandidzikira pakavanda; Nokuti ndimi nhare yangu.
31:5b.PSA.031.005 Ndinoisa mweya wangu muruoko rwenyu; Makandidzikunura Jehovha, imi Mwari wazvokwadi.
31:6b.PSA.031.006 Ndinovenga vanokudza zvenhema zvisina maturo; Asi ndichavimba naJehovha.
31:7b.PSA.031.007 Ndichafara nokufarisisa netsitsi dzenyu; Nokuti makaona kutambudzika kwangu; Makaziva kumanikidzwa kwomweya wangu;
31:8b.PSA.031.008 Hamuna kundiisa muruoko rwomuvengi; Makamisa tsoka dzangu panzvimbo yakafarikana.
31:9b.PSA.031.009 Ndinzwirei tsitsi Jehovha, nokuti ndiri panjodzi; Ziso rangu rapera nokuchema, zvirokwazvo, nomweya wangu nomuviri wanguvo.
31:10b.PSA.031.010 Nokuti hupenyu hwangu hwapera nokuchema, namakore angu nokugomera; Simba rangu rapera nokuda kwokutadza kwangu, uye mapfupa angu asakara.
31:11b.PSA.031.011 Ndava chinhu chinozvidzwa nemhaka yavadzivisi vangu vose, Zvirokwazvo, zvikuru kuna vandinogara navo, nechinotyisa kuvazikani vangu; Vakandiona kunze vakanditiza.
31:12b.PSA.031.012 Ndakanganikwa sowakafa asati achafungwa; Ndava somudziyo wakaputsika.
31:13b.PSA.031.013 Ndakanzwa vazhinji vachindipomera, Zvinotyisa kumativi ose; Pakurangana kwavo pamusoro pangu Vakafunga mano kuti vanditorere upenyu hwangu.
31:14b.PSA.031.014 Asi ndakavimba nemi Jehovha; Ndakati, Ndimi Mwari wangu.
31:15b.PSA.031.015 Nguva dzangu dziri muruoko rwenyu; Ndirwirei paruoko rwavavengi vangu, nokuna vanonditambudza.
31:16b.PSA.031.016 Vhenekesai chiso chenyu pamusoro pomuranda wenyu; Ndiponesei nounyoro hwenyu.
31:17b.PSA.031.017 Ngandirege kunyadziswa, Jehovha; nokuti ndakadana kwamuri; Vakaipa ngavanyadziswe, ngavanyarare paSheori.
31:18b.PSA.031.018 Miromo inoreva nhema ngainyarare; Iyo inotaura namanyawi kuna vakarurama, Ichizvikudza nokuvazvidza. Haiwa, zvakanaka zvenyu zvamakachengetera vanokutyai zvakakura sei, Zvamakaitira vanovimba nemi, pamberi pavanakomana vavanhu!
31:19b.PSA.031.019 Muchavavanza pakavanda pamberi penyu, vabve pamano avanhu;
31:20b.PSA.031.020 Muchavachengeta pakavanda patende vabve panharo dzendimi.
31:21b.PSA.031.021 Jehovha ngaavongwe, Nokuti akandiratidza unyoro hwake hunoshamisa paguta rakasimba.
31:22b.PSA.031.022 Kana ndirini, ndakati pakukaruka kwangu, Ndabviswa pamberi penyu; Kunyange zvakadaro, makanzwa inzwi rokukumbira kwangu pakuchema kwangu kwamuri.
31:23b.PSA.031.023 Idai Jehovha, imi vatsvene vake mose; Jehovha anochengeta vakatendeka, Anotsiva zvikuru munhu anozvikudza.
31:24b.PSA.031.024 Ivai nesimba, uye moyo yenyu itsunge, Imi mose munorindira Jehovha.
32
32:1b.PSA.032.001 Akakomborerwa akakanganwirwa kudarika kwake, akafukidzirwa zvivi zvake
32:2b.PSA.032.002 Akakomborerwa munhu asingaverengerwi zvakaipa naJehovha; asina kunyengera pamweya wake.
32:3b.PSA.032.003 Panguva yandakaramba ndinyerere, mapfupa angu akasakara nokuvuvura kwangu zuva rose.
32:4b.PSA.032.004 Nokuti ruoko rwenyu rwakanga rwuchirema pamusoro pangu masikati novusiku; Unyoro hwangu hwakashandurwa hukava kuoma kwechirimo.
32:5b.PSA.032.005 Ndakakuzivisai chakaipa changu, handina kuvanza chakaipa changu; Ndakati,ndicharevurura kudarika kwangu kuna Jehovha; Imwi makandikangamwira kuipa kwechivi changu.
32:6b.PSA.032.006 Saka vose vanotya Mwari ngavanyengetere kwamuri panguva yamunowanikwa, zvirokwazvo kana mvura ichikukura, hasvikiri kwaari.
32:7b.PSA.032.007 Ndimi chivando changu; muchandichengeta ndirege kupinda pakutambudzika. Muchandikomberedza nenziyo dzokurwira.
32:8b.PSA.032.008 Ndichakudzidzisa nekukuraira nzira yaunofanira kufamba nayo; Ndichakupa njere neziso rangu, riri pamusoro pako.
32:9b.PSA.032.009 Regai kuva sebhiza, kana sehesera zvisinganzwisisi. Zvinofanira kufambiswa nerwauro netomu namakashu azvo, Hazvingazodi kuswedera kwauri.
32:10b.PSA.032.010 Akaipa achava nenjodzi zhinji; Asi anovimba naJehovha achakombwa netsitsi.
32:11b.PSA.032.011 Farai muna Jehovha, mufarisise, imi makarurama;Pururudzai nomufaro, imimakachena pamoyo.
33
33:1b.PSA.033.001 Farisai munaJehovha, imi vakarurama; Kurumbidza kwakafanira vakarurama.
33:2b.PSA.033.002 Vongai Jehovha nembira; Muimbirei nziyo dzokurumbidza nomutengeranwa une hungiso dzine gumi.
33:3b.PSA.033.003 Muimbirei rwiyo rutsva; Ridzai zvakanaka nokuridza kukuru.
33:4b.PSA.033.004 Nokuti shoko raJehovha rakarurama, Anoita zvose nokutendeka.
33:5b.PSA.033.005 Iye anoda kururama nokururamisa; Nyika izere nounyoro hwaJehovha.
33:6b.PSA.033.006 Kudenga-denga kwakaitwa neshoko raJehovha, Uye hondo dzose dzoko nokufema kwomuromo wake.
33:7b.PSA.033.007 Anounganidza mvura zhinji yegungwa pamwechete somurwi; Anochengeta mvura zhinji dzakadzika mumatura.
33:8b.PSA.033.008 Nyika yose ngaitye Jehovha; Vose vagere panyika ngavadedere pamberi pake.
33:9b.PSA.033.009 Nokuti iye akataura, zvikaitika; Akaraira, zvikamira zvikasimba.
33:10b.PSA.033.010 Jehovha anoparadza zano ravahedheni; Mifungo yendudzi dzavanhu anoishaisa simba.
33:11b.PSA.033.011 Zano raJehovha rakasimba nokusingaperi, Nendangariro dzomoyo wake kusvikira kundudzi dzose.
33:12b.PSA.033.012 Rwakakomborerwa rudzi rwakaita Jehovha Mwari warwo; Rudzi rwaakatsaura kuva nhaka yake.
33:13b.PSA.033.013 Jehovha anotarira ari kudenga; Anoona vanakomana vose vavanhu;
33:14b.PSA.033.014 Anotarira ari ipapo paagere Achiona vanhu vose vagere panyika.
33:15b.PSA.033.015 Iye anoumba moyo yavo vose, Anocherekedza mabasa avo ose
33:16b.PSA.033.016 Hapana mambo anoponeswa nokuwanda kwehondo; Mhare hairwirwi nesimba guru.
33:17b.PSA.033.017 Bhiza haribatsiri pakukunda; Harigoni kurwira nesimba raro guru.
33:18b.PSA.033.018 Tarirai, ziso raJehovha rinotarira vanomutya, Ivo, vanorindira tsitsi dzake;
33:19b.PSA.033.019 Kurwira mweya wavo parufu, Nokuvararamisa panguva yenzara.
33:20b.PSA.033.020 Mweya yedu yakarindira Jehovha; Ndiye mubatsiri wedu nenhovo yedu.
33:21b.PSA.033.021 Nokuti moyo yedu ichafara kwazvo maari, Zvatakavimba nezita rake dzvene.
33:22b.PSA.033.022 Tsitsi dzenyu ngadzive nesu, Jehovha, Sezvatakakurindirai.
34
34:1b.PSA.034.001 Ndicharumbidza Jehovha nguva dzose; Rumbidzo yake ichagara mumuromo mangu.
34:2b.PSA.034.002 Mweya wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; Vanyoro vachazvinzwa, vakafara.
34:3b.PSA.034.003 Kudzai Jehovha pamwechete neni, Ngatikudzise zita rake pamwechete.
34:4b.PSA.034.004 Ndakatsvaka Jehovha, akandipindura, Akandisunungura pakutya kwangu kwose.
34:5b.PSA.034.005 Vakatarira kwaari, vakapenyeswa nomufaro; Zviso zvavo hazvingatongonyadziswi.
34:6b.PSA.034.006 Murombo uyu akachema, Jehovha akamunzwa, Akamuponesa panjodzi dzake dzose.
34:7b.PSA.034.007 Mutumwa waJehovha anokomberedza vanomutya, Nokuvarwira.
34:8b.PSA.034.008 Ravirai henyu, muone kuti Jehovha wakanaka; Akakomborerwa munhu anovimba naye.
34:9b.PSA.034.009 Ityai Jehovha, imi vatsvene vake; Nokuti vanomutya havana chavanoshaiwa.
34:10b.PSA.034.010 Vana veshumba vanoshaiwa, vanofa nenzara; Asi vanotsvaka Jehovha havana chinhu chakanaka chavangashaiwa.
34:11b.PSA.034.011 Uyai imi vana, munditeerere; Ndichakudzidzisai kutya Jehovha.
34:12b.PSA.034.012 Ndoupi munhu anoda upenyu, Anoda mazuva mazhinji, kuti aone zvakanaka?
34:13b.PSA.034.013 Dzora rurimi rwako pakutaura zvakaipa, Nemiromo yako, urege kutaura zvinonyengera.
34:14b.PSA.034.014 Ibva pane zvakaipa uite zvakanaka; Tsvaka rugare, urutevere.
34:15b.PSA.034.015 Meso aJehovha anotarira vakarurama, Uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo.
34:16b.PSA.034.016 Chiso chaJehovha chinovenga vanoita zvakaipa, Kuti abvise chiyeudziro chavo panyika.
34:17b.PSA.034.017 Vakarurama vakadana, Jehovha akanzwa, Akavarwira panjodzi dzavo dzose.
34:18b.PSA.034.018 Jehovha ari pedo navane moyo yakaputsika, Anoponesa vane mweya yakapwanyika.
34:19b.PSA.034.019 Akarurama anamatambudziko mazhinji; Asi Jehovha anomurwira abude paari ose.
34:20b.PSA.034.020 Anochengeta mapfupa ake ose; Hakuna nerimwe rawo rinovhuniwa.
34:21b.PSA.034.021 Zvakaipa zvichauraya akaipa; Uye vanovenga vakarurama vachapiwa mhosva.
34:22b.PSA.034.022 Jehovha anodzikunura mweya yavaranda vake; Hapana nomumwe kuna vanovimba naye achapiwa mhosva.
35
35:1b.PSA.035.001 Jehovha, kakavadzanai navanokakavadzana neni; Irwai navanorwa neni.
35:2b.PSA.035.002 Torai nhovo huru neduku, Musimuke kundibatsira.
35:3b.PSA.035.003 Vhomoraiwo pfumo, mudzivire nzira yavanonditeverera, Itiyi kumweya wangu, Ndini muponesi wako.
35:4b.PSA.035.004 Vanotsvaka mweya wangu ngavanyadziswe, vazvidzwe; Vanofunga kundiitira zvakaipa ngavadzoserwe shure vakanganiswe.
35:5b.PSA.035.005 Ngavafanane nehundi inopupuruswa nemhepo, Mutumwa waJehovha achivasundira.
35:6b.PSA.035.006 Nzira yavo ngaive nerima, itedze, Mutumwa waJehovha achivateverera.
35:7b.PSA.035.007 Nokuti ndisina mhosva vakandivanzira mimbure yavo muhunza, Ndisina mhosva vakacherera mweya wangu hunza.
35:8b.PSA.035.008 Kuparadzwa ngakumuwire akangofara; Uye mumbure wake waakavanza ngaumubate amene; Ngaawiremo aparadzwe.
35:9b.PSA.035.009 Mweya wangu uchafarira Jehovha Uchafarira kuponesa kwake.
35:10b.PSA.035.010 Mapfupa angu ose achati, Jehovha ndianiko akafanana nemi, Imi munorwira murombo panaiye akamukurira nesimba, Iye murombo nomushaiwi panoanomupamba?
35:11b.PSA.035.011 Zvapupu zvisina kururama zvinosimuka; Zvinondibvunza zvinhu zvandisingazivi
35:12b.PSA.035.012 Zvakanaka zvangu vanozvitsiva nezvakaipa, Vachibira mweya wangu.
35:13b.PSA.035.013 Asi kana ndirini, pakurwara kwavo ndakafuka masaga; Ndakatambudza mweya wangu ndichizvinyima zvokudya; Munyengetero wangu ukadzokera kuchipfuva changu.
35:14b.PSA.035.014 Ndakaita seyaiva shamwari yangu kana hama yangu; Ndakakotama ndichichema, somunhu anochema mai vake.
35:15b.PSA.035.015 Asi pakugumburwa kwangu vakafara, vakaungana pamwechete; Vanhu vakashata kwazvo vakaungana kuzorwa neni, navandakanga ndisingazivi; Vakandibvambura, vasingaregi;
35:16b.PSA.035.016 Savadadiri vakaipa pamitambo Vakandirumanyira meno avo.
35:17b.PSA.035.017 Jehovha, muchatarira izvozvo kusvikira rinhiko? Rwirai mweya wangu pakuparadza kwavo, Mudikanwa wangu pashumba.
35:18b.PSA.035.018 Ndichakuvongai paungano huru; Ndichakurumbidzai pakati pavanhu vazhinji.
35:19b.PSA.035.019 Vanondivenga ndisina mhosva ngavarege kufara pamusoro pangu; Uye vanondivenga ndisina mhosva ngavarege kubwaira neziso.
35:20b.PSA.035.020 Nokuti havatauri rugare; Asi vanofungira avo vanyerere panyika mashoko okunyengera.
35:21b.PSA.035.021 Zvirokwazvo, vakandishamisira miromo yavo; Vakati, Hekani, hekani! Meso edu akazviona.
35:22b.PSA.035.022 Makazviona, Jehovha; regai kunyarara; Ishe, regai kugara kure neni.
35:23b.PSA.035.023 Zvimutsei, mukai mundiruramisire; Mutambe mhaka yangu, Mwari wangu naShe wangu.
35:24b.PSA.035.024 Nditongerei, Jehovha Mwari wangu, nokururama kwenyu; Ngavarege kufara pamusoro pangu.
35:25b.PSA.035.025 Ngavarege kuti mumoyo mavo, Hekani, ndizvo zvatanga tichida; Ngavarege kuti, Tamumedza.
35:26b.PSA.035.026 Ngavanyadziswe, vazvidzwe pamwechete, ivo vanofarira kutambudzika kwangu; Ngavafukidzwe nokunyara nokuzvidzwa, ivo vanozvikudza pamusoro pangu.
35:27b.PSA.035.027 Ngavadanidzire nomufaro, vafare, ivo vanoda kururamiswa kwemhaka yangu; Ngavarambe vachiti, Jehovha ngaakudzwe, Iye, anofarira kufara kwomuranda wake.
35:28b.PSA.035.028 Ipapo rurimi rwangu ruchataura zvokururama kwenyu, Nezvokurumbidzwa kwenyu zuva rose.
36
36:1b.PSA.036.001 Kudarika kwowakaipa kunoreva mumoyo mangu, kuchiti, Hakuna kutya Mwari pamberi pameso ake.
36:2b.PSA.036.002 Nokuti anozvibata kumeso kwake, Achiti zvakaipa zvake hazvingazikanwi zvikavengwa.
36:3b.PSA.036.003 Mashoko omuromo wake ndizvo zvakaipa nokunyengera; Akarega kuzova akachenjera nokuita zvakanaka.
36:4b.PSA.036.004 Anofunga zvakaipa panhovo dzake; Anofamba nenzira isina kunaka; Haasemi zvakaipa.
36:5b.PSA.036.005 Unyoro hwenyu, Jehovha, hwakasvika kudenga-denga; Kutendeka kwenyu kunosvikira kumakore;
36:6b.PSA.036.006 Kururama kwenyu kwakafanana namakomo aMwari; Kutonga kwenyu kwakadzika zvikuru; Jehovha, munochengeta vanhu nemhuka.
36:7b.PSA.036.007 Unyoro hwenyu, Mwari, hwakanaka-naka sei! Vana vavanhu vanondovanda pasi pomumvuri wamapapiro enyu.
36:8b.PSA.036.008 Vachagutswa kwazvo nezvakakora zveimba yenyu; Muchavanwisa parwizi rwezvinofadza zvenyu;
36:9b.PSA.036.009 Nokuti kwamuri ndiko kune tsime roupenyu; Muchiedza chenyu ndimo matinoona chiedza.
36:10b.PSA.036.010 Rambai muchiitira vanokuzivai unyoro hwenyu; Nokururama kwenyu kuna vamoyo yakarurama.
36:11b.PSA.036.011 Rutsoka rwoanozvikudza ngarurege kusvikira kwandiri, Ruoko rwoakaipa ngarurege kundidzinga.
36:12b.PSA.036.012 Apo ndopakawira pasi vaiti vezvakaipa, Vakawisirwa pasi, havangagoni kumukazve.
37
37:1b.PSA.037.001 Usava neshungu nokuda kwavanoita zvakaipa, Usagodora vanoita zvisina kururama.
37:2b.PSA.037.002 Nokuti vachakurumidza kudzurwa souswa, Vachaoma semuriwo mutema.
37:3b.PSA.037.003 Vimba naJehovha, uite zvakanaka; Gara panyika, ushingairire kutendeka.
37:4b.PSA.037.004 Farikana kwazvo kuna Jehovha; Iye agokupa zvinodikanwa nomoyo wako.
37:5b.PSA.037.005 Isa nzira yako kuna Jehovha; Vimbawo naye, iye achazviita.
37:6b.PSA.037.006 Iye achabudisa kururama kwako sechiedza, Nokururamisirwa kwako samasikati.
37:7b.PSA.037.007 Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; Usava neshungu pamusoro poanofara panzira yake, Pamusoro pomunhu anoita mano akaipa aakafunga.
37:8b.PSA.037.008 Rega kutsamwa, urashe hasha; Usava neshungu, zvinongotadzisa munhu.
37:9b.PSA.037.009 Nokuti vanoita zvakaipa vachagurwa; Asi vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika.
37:10b.PSA.037.010 Kwasara chinguva chiduku, akaipa haachazovipo; Zvirokwazvo, iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo zvirokwazvo iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo.
37:11b.PSA.037.011 Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; Ndivo vachafarikana kwazvo norugare rukuru.
37:12b.PSA.037.012 Akaipa anofungira akarurama mano akaipa, Anomurumanira meno ake.
37:13b.PSA.037.013 Ishe achamuseka; Nokuti anoona kuti zuva rake rinouya.
37:14b.PSA.037.014 Vakaipa vakavhomora munondo, vakawembura uta hwavo; Kuti vawisire pasi varombo navanoshaiwa, Kuti vauraya vakarurama panzira;
37:15b.PSA.037.015 Munondo wavo uchapinda pamoyo yavo imene, Uye uta hwavo huchavhuniwa.
37:16b.PSA.037.016 Zvishoma, zvakanaka, zvowakarurama zvinopfuura zvakawanda zvavakaipa vazhinji.
37:17b.PSA.037.017 Nokuti maoko avakaipa achavhuniwa; Asi Jehovha anotsigira vakarurama.
37:18b.PSA.037.018 Jehovha anoziva mazuva avane moyo yakarurama; Nhaka yavo ndeyokusingaperi.
37:19b.PSA.037.019 Havanganyadziswi nenguva yokuipa; Pamisi yenzara vachagutiswa.
37:20b.PSA.037.020 Asi vakaipa vachaparara, Uye vavengi vaJehovha vachafanana nokunaka kwamafuro; Vacharova; vacharova soutsi.
37:21b.PSA.037.021 Akaipa anokwereta, asingaripizve; Asi akarurama ane ngoni, anopa.
37:22b.PSA.037.022 Nokuti vanokomborerwa naye vachagara nhaka yenyika; Asi vanotukwa naye vachaparadzwa.
37:23b.PSA.037.023 Mufambiro womunhu unosimbiswa naJehovha; Unofarikana munzira yake.
37:24b.PSA.037.024 Kunyange akawa, haangawiswi chose; Nokuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake.
37:25b.PSA.037.025 Ndakanga ndiri muduku, zvino ndakwegura; Kunyange zvakadaro handina kutongoona akarurama achisiyiwa, Kana vana vake vachipemha zvokudya.
37:26b.PSA.037.026 Zuva rose anoramba ane ngoni, achiposa; Vana vake vanokomborerwa.
37:27b.PSA.037.027 Ibva pane zvakaipa, uite zvakanaka; Ugare zvakanaka nokusingaperi.
37:28b.PSA.037.028 Nokuti Jehovha unoda zvakarurama, Haasiyi vatsvene vake; Vanochengetwa nokusingaperi; Asi vana vowakaipa vachaparadzwa.
37:29b.PSA.037.029 Vakarurama vachagara nhaka yenyika, Vachagaramo nokusingaperi.
37:30b.PSA.037.030 Muromo wowakarurama unotaura zvenjere, Rurimi rwake runotaura zvakarurama.
37:31b.PSA.037.031 Murayiro waMwari wake uri mumoyo make; Pakutsika kwake haangatongotedzemuki.
37:32b.PSA.037.032 Akaipa anovandira akarurama, Achitsvaka kumuuraya.
37:33b.PSA.037.033 Jehovha haangamuregeri muruoko rwake, Kana kumupa mhosva kana atongwa.
37:34b.PSA.037.034 Rindira Jehovha, urambire panzira yake, Iye achakukudza kuti ugare nhaka yenyika; Kana vakaipa vachiparadzwa iwe uchazviona.
37:35b.PSA.037.035 Ndakaona akaipa anesimba guru, Achitandavara somuti munyoro panyika yawo.
37:36b.PSA.037.036 Zvino mumwe akapfuurazve, wanei haachipo; Ndakamutsvaka, asi akanga asichawanikwi.
37:37b.PSA.037.037 Cherekedzai munhu akakwana, mutarire akarurama; Nokuti kuguma kwomunhu uyo rugare.
37:38b.PSA.037.038 Kana vari vadariki, vachaparadzwa pamwechete; Pakuguma kwavo vakaipa vachaparadzwa.
37:39b.PSA.037.039 Asi kuponeswa kwavakarurama kunobva kuna Jehovha; Ndiye nhare yavo panguva yokutambudzika.
37:40b.PSA.037.040 Jehovha anovabatsira, nokuvarwira; Anovarwira kuna vakaipa, nokuvaponesa, Nokuti vakandovanda maari.
38
38:1b.PSA.038.001 Haiwa Jehovha, regai kundiraira pakutsamwa kwenyu, Musandiranga nokusafara kwenyu kukuru.
38:2b.PSA.038.002 Nokuti miseve yenyu yandibaya, Ruoko rwenyu runonditsikirira kwazvo.
38:3b.PSA.038.003 Hakuchina hukukutu panyama yangu nokuda kwehasha dzenyu; Uye hapachina mufaro pamapfupa angu nokuda kwechivi changu.
38:4b.PSA.038.004 Nokuti zvakaipa zvangu zvafukidza musoro wangu; Zvinondiremera somutoro unorema.
38:5b.PSA.038.005 Maronda angu anonhuwa, akaora, Nokuda kwohupenzi hwangu.
38:6b.PSA.038.006 Ndakakombamiswa, ndakakotamiswa kwazvo, Ndinofamba ndichichema zuva rose.
38:7b.PSA.038.007 Nokuti chiuno changu chinopisa zvikuru; Hakuchina hukukutu panyama yangu.
38:8b.PSA.038.008 Ndakati rukutu, ndavhunika kwazvo; Ndakagomera nokuda kwokutambudzika kwomoyo wangu.
38:9b.PSA.038.009 Ishe, zvose zvinoda moyo wangu zviri pamberi penyu; Hamuna kuvanzirwa kugomba kwangu.
38:10b.PSA.038.010 moyo wangu unopfura, ndapererwa nesimba rangu; Kana chiri chiedza chameso angu, naicho chabva kwandiri.
38:11b.PSA.038.011 Vanondida, neshamwari dzangu, vanomira kure nokuda kwehosha yangu; Uye hama dzangu dzimire kure.
38:12b.PSA.038.012 Vanotsvaka upenyu hwangu vanonditeyira misungo; Uye vanotsvaka kundikuvadza vanotaura zvokuparadzwa kwangu, Asi vanofunga kundinyengera zuva rose.
38:13b.PSA.038.013 Asi ini ndakafanana nematsi, handinzwi; Ndakafanana nembeveve isingashamisi muromo wayo.
38:14b.PSA.038.014 Zvirokwazvo, ndakafanana nomunhu asinganzwi, Asina mhinduro pamuromo wake.
38:15b.PSA.038.015 Nokuti ndimi, Jehovha, wandinotarira; Imi muchapindura, Jehovha Mwari wangu.
38:16b.PSA.038.016 Nokuti ndakati, Ngavarege kufara pamusoro pangu; Kana rutsoka rwangu ruchitedzemuka, vanozvikudza pamusoro pangu.
38:17b.PSA.038.017 Nokuti ndinovavarira kugumburwa, Uye njodzi yangu iri pamberi pangu nguva dzose.
38:18b.PSA.038.018 Nokuti ndichazvireurura zvakaipa zvangu; Ndichachema zvivi zvangu.
38:19b.PSA.038.019 Asi vavengi vangu vakasvinuka, vane simba, Uye vanondivenga ndisina mhosva vawanda.
38:20b.PSA.038.020 Naivowo vanotsiva zvakaipa nezvakanaka, Ndivo vadzivisi vangu, nokuti ndinotevera chinhu chakanaka.
38:21b.PSA.038.021 Regai kundisiya, Jehovha; Mwari wangu, regai kuva kure neni.
38:22b.PSA.038.022 Kurumidzai kundibatsira, Ishe, imi muponesi wangu.
39
39:1b.PSA.039.001 Ndakati, Ndichachenjerera nzira dzangu, Kuti ndirege kutadza norurimi rwangu; Ndichachengeta muromo wangu netomu, Kana wakaipa ari pamberi pangu.
39:2b.PSA.039.002 Ndakanga ndiri mbeveve ndisingatauri, Ndakanyarara hangu, ndiri kure nezvakanaka. Kuchema kwangu kukamutswa.
39:3b.PSA.039.003 moyo wangu wakanga uchipisa mukati mangu; Ndakati ndichifunga, moto ukapfuta; Ipapo ndakataura norurimi rwangu, ndikati,
39:4b.PSA.039.004 Jehovha, ndizivisei mugumo wangu, Uye mwero wamazuva angu, kuti akadini; Ndizivisei kuti ndinongopfuura hangu.
39:5b.PSA.039.005 Tarirai, makaita mazuva angu sohupamhi hwechanza; Uye nguva yokurarama kwangu sechinhu chisipo pamberi penyu; Zvirokwazvo, munhu mumwe nomumwe kunyange akasimba kwazvo, mweya bedzi.
39:6b.PSA.039.006 Zvirokwazvo, munhu mumwe nomumwe anofamba-famba somumvuri; Zvirokwazvo, vanoita bope pasina; Anounganidza fuma, asi haazivi kuti ndiani achaidya.
39:7b.PSA.039.007 Zvino Ishe, ndakarindireiko? Tariro yangu iri kwamuri.
39:8b.PSA.039.008 Ndirwirei pakudarika kwangu kwose; Regai kundiita munhu anosekwa namapenzi.
39:9b.PSA.039.009 Ndakanga ndiri mbeveve, handina kushamisa muromo wangu; Nokuti ndimi makazviita.
39:10b.PSA.039.010 Bvisai shamhu yenyu kwandiri; Ndapera nokurohwa noruoko rwenyu.
39:11b.PSA.039.011 Kana muchiraira munhu muchimuranga pamusoro pezvakaipa, Munopedza kunaka kwake sechivhundudzi; Zvirokwazvo munhu mumwe nomumwe mweya hake.
39:12b.PSA.039.012 Inzwai munyengetero wangu, Jehovha, rerekerai nzeve yenyu munzwe kuchema kwangu; Musanyarara muchiona misodzi yangu; Nokuti ndiri mweni kwamuri, Mutorwa, sezvakanga zvakaita madzibaba angu ose.
39:13b.PSA.039.013 Regai kunditarira, kuti ndimbonaya hangu, Ndisati ndabva pano, ndikasazovapo.
40
40:1b.PSA.040.001 Ndakarindira-rindira Jehovha; Akarerekera nzeve kwandiri, akanzwa kuchema kwangu.
40:2b.PSA.040.002 Akandibudisawo pagomba rokuparadzwa, nomudziva ramatope; Akamisa tsoka dzangu padombo, akandisimbisa pakufamba kwangu.
40:3b.PSA.040.003 Akaisa rwiyo rutsva mumuromo mangu, rwokurumbidza Mwari wedu narwo; Vazhinji vachazviona, vachitya, Vachavimba naJehovha.
40:4b.PSA.040.004 Akakomborerwa anoita Jehovha chivando chake. Asina hanya navanozvikudza, navanotsaukira kunhema.
40:5b.PSA.040.005 Jehovha Mwari wangu, mabasa enyu, anoshamisa, amakaita, mazhinji, Nemifungo yenyu kwatiri; Hapana angaenzaniswa nemi. Kana ndikada kuzvidudzira nokuzvireva, Hazvingaverengwi nokuwanda kwazvo.
40:6b.PSA.040.006 Imi hamufadzwi nezvibayiro nezvipiriso; Makandidziurira nzeve dzangu; Zvipiriso zvinopiswa nezvezvivi hamuna kuzvireva.
40:7b.PSA.040.007 Ipapo ndakati, Tarirai, ndauya; Parugwaro rwakapetwa ndakazvirairwa,
40:8b.PSA.040.008 Ndinofara kwazvo kuita kuda kwenyu, Mwari wangu; Zvirokwazvo murayiro wenyu uri mumoyo mangu.
40:9b.PSA.040.009 Ndakaparidza mashoko omufaro paungano huru; Tarirai, handingadzori miromo yangu, Jehovha, munozviziva
40:10b.PSA.040.010 Handina kuvanza kururama kwenyu muwoyo mangu; Ndakadudzira kutendeka kwenyu nokuponesa kwenyu; Handina kuvanzira ungano huru unyoro hwenyu nezvokwadi yenyu.
40:11b.PSA.040.011 Jehovha, imi hamungandinyimi ngoni dzenyu; Unyoro hwenyu nezvokwadi yenyu zvichandichengeta nguva dzose.
40:12b.PSA.040.012 Nokuti madambudzo asingaverengwi akandikomberedza, Zvakaipa zvangu zvakandibata, naizvozvo handigoni kutarira kumusoro; Zvakawanda kupfuura vhudzi romusoro wangu, ndapera moyo.
40:13b.PSA.040.013 Jehovha ngazvikufadzei kundirwira; Kurumidzai kundibatsira, Jehovha.
40:14b.PSA.040.014 Ngavanyadziswe, ngavazvidzwe pamwechete. Ivo vanotsvaka mweya wangu kuti vauparadze, gavadzoserwe shure, vashorwe Ivo vanofarira kundikuvadza.
40:15b.PSA.040.015 Ngavavhunduswe nokuda kwenyadzi dzavo Ivo vanoti kwandiri, Hekani, hekani waro!
40:16b.PSA.040.016 Vose vanokutsvakai ngavafarise vave nomufaro mamuri, Vanoda kuponesa kwenyu ngavarambe vachiti, Jehovha ngaakudzwe!
40:17b.PSA.040.017 Asi ini ndiri murombo nomushaiwi; Kunyange zvakadaro Ishe anondifunga; Imi muri mubatsiri wangu nomurwiri wangu; Regai kunonoka, Mwari wangu.
41
41:1b.PSA.041.001 Akakomborerwa ane hanya navarombo Jehovha achamurwira nomusi wezvakaipa.
41:2b.PSA.041.002 Jehovha achamuchengeta nokumuraramisa, achakomborerwa panyika; Hamungamuisi pakuda kwavavengi vake,
41:3b.PSA.041.003 Jehovha achamutsigira panhovo yourwere; Munoshandura nhovo dzake dzose pakurwa kwake.
41:4b.PSA.041.004 Ini ndakati, Jehovha, ndinzwirei tsitsi; Poresai mweya wangu; nokuti ndakakutadzirai.
41:5b.PSA.041.005 Vavengi vangu vanotaura zvakaipa pamusoro pangu, vachiti, Uchagofa rinhiko, zita rake rirove?
41:6b.PSA.041.006 Kana mumwe achiuya kuzondiona, anotaura zvisina maturo; moyo wake unozviunganidzira zvakaipa; Kana obuda kumwe, anozviparidza.
41:7b.PSA.041.007 Vose, vanondivenga, vanoita zeve-zeve pamwechete pamusoro pangu; Vanorangana kundikuvadza,
41:8b.PSA.041.008 Chinhu chakaipa chakamunamatira ndizvo zvavanotaura; Zvino zvaavata pasi, haachazomukizve.
41:9b.PSA.041.009 Haiwa, kunyange shamwari yangu chaiyo, wandaivimba naye, aidya zvokudya zvangu, Naiye andisimudzira chichitsinho chake.
41:10b.PSA.041.010 Asi imi Jehovha, ndinzwirei tsitsi, mundisimudzei, Kuti ndivatsive.
41:11b.PSA.041.011 Ndinoziviswa nechinhu ichi kuti munofadzwa neni, Nokuti muvengi wangu haandikundi.
41:12b.PSA.041.012 Kana ndirini munonditsigira pakururama kwangu, Munondiisa pamberi penyu nokusingaperi.
41:13b.PSA.041.013 Jehovha, Mwari waIsiraeri, ngaavongwe, Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi Ameni, zvirokwazvo Ameni.
42
42:1b.PSA.042.001 Senondo inotakwairira hova dzemvura, Saizvozvo mweya wangu unokutakwairirai imi Mwari.
42:2b.PSA.042.002 Mweya wangu une nyota kuna Mwari, iye Mwari mupenyu, Ndichasvika rinhiko ndionekwe naMwari?
42:3b.PSA.042.003 Misodzi yangu zvakanga zviri zvokudya zvangu masikati nousiku, Pakutaura kwavo zuva rose kwandiri vachiti, Mwari wako aripiko?
42:4b.PSA.042.004 Ndinorangarira zvinhu izvi, ndichidurura mweya wangu mukati mangu, Zvokuti ndaienda navazhinji, ndichivatungamirira kuimba yaMwari Nenzwi rokufara nokurumbidza, tiri vazhinji vaitamba mutambo.
42:5b.PSA.042.005 Unoshuwireiko, mweya wangu? Unoshaiwa rugare neiko mukati mangu? Tarira kuna Mwari; nokuti ndichazomurumbidza hangu, Nokuda kwokuponesa kwechiso chake.
42:6b.PSA.042.006 Haiwa Mwari, mweya wangu unosuwa mukati mangu; Naizvozvo ndinokurangarirai ndiri panyika yaJorodhani, Napamakomo eHerimoni, nechikomo cheMizari.
42:7b.PSA.042.007 Pakadzika panodana pakadzika pakutinhira kwamapopopo enyu; Mafungu enyu namapoporodzi enyu akapfuura napamusoro pangu.
42:8b.PSA.042.008 Asi Jehovha acharaira unyoro hwake panguva yamasikati, Usiku rwiyo rwake ruchava neni, Uye munyengetero kuna Mwari woupenyu hwangu.
42:9b.PSA.042.009 Ndichati kuna Mwari, dombo rangu, Makandikanganwireiko? Ndinofambireiko ndichichema nemhaka yokumanikidza kwomuvengi wangu?
42:10b.PSA.042.010 Zvakafanana nomunondo pamapfupa angu, kana vadzivisi vangu vachindizvidza; Kana vachiramba vachiti kwandiri, Mwari wako aripiko?
42:11b.PSA.042.011 Unoshuwireiko, mweya wangu? Unoshaiwa rugare neiko mukati mangu? Tarira kuna Mwari; nokuti ndichazomurumbidza hangu, Iye muponesi wechiso changu, naMwari wangu.
43
43:1b.PSA.043.001 Nditongerei Mwari, mundireverere pamhosva yangu parudzi rusina tsitsi; Ndirwirei pamunhu anonyengera asina kururama.
43:2b.PSA.043.002 Nokuti ndimi Mwari simba rangu; mandirasireiko? Ndinofambireiko ndichichema nokuda kwokumanikidza kwomuvengi?
43:3b.PSA.043.003 Tumai chiedza chenyu nezvokwadi yenyu; zvinditungamirire; Zvindisvitse kugomo renyu dzvene, Nokutabhenakeri dzenyu.
43:4b.PSA.043.004 Ipapo ndichasvika kuaritari yaMwari, Kuna Mwari, iye mufaro wangu mukuru; Ndichakurumbidzai nembira, imi Mwari, Mwari wangu.
43:5b.PSA.043.005 Unosuwireiko, mweya wangu? Unoshaiwa rugare neiko mukati mangu? Tarira kuna Mwari; nokuti ndichazomurumbidza hangu, Iye muponesi wechiso changu, naMwari wangu.
44
44:1b.PSA.044.001 Mwari, takanzwa nenzeve dzedu, madzibaba edu akatiudza, Basa ramakabata pamisi yavo, napamisi yekare.
44:2b.PSA.044.002 Makadzinga vahedheni noruoko rwenyu, mukavasima ivo; Makatambudza ndudzi dzavanhu mukavaparadzira ivo.
44:3b.PSA.044.003 Nokuti havana kuzviwanira nyika nomunondo wavo, Ruoko rwavo haruna kuvaponesa; Asi chanza chenyu chorudyi, noruoko rwenyu, nechiedza chechiso chenyu, Nokuti maivafarira.
44:4b.PSA.044.004 Ndimi Mambo wangu, imi Mwari; Rairai kuti Jakobho akunde.
44:5b.PSA.044.005 Nemi tichawisira pasi vadzivisi vedu; Nezita renyu tichatsika pasi vanotimukira.
44:6b.PSA.044.006 Nokuti handingavimbi nouta hwangu, Nomunondo wangu haungandiponesi.
44:7b.PSA.044.007 Asi imi makatiponesa pavadzivisi vedu, Mukanyadzisa vanotivenga.
44:8b.PSA.044.008 Takazvirumbidza zuva rose munaMwari, Tichavonga zita renyu nokusingaperi.
44:9b.PSA.044.009 Asi zvino makatirasha henyu, mukatinyadzisa; Hamuchafambi nehondo dzedu.
44:10b.PSA.044.010 Munotitizisa pamberi pavadzivisi; Vanotivenga vanozvipambira.
44:11b.PSA.044.011 Makatiisa samakwai akatarirwa kubayiwa; Makatiparadzira pakati pavahedheni.
44:12b.PSA.044.012 Munotengesa vanhu venyu musina chamunopiwa, Hamuna kuwedzera fuma yenyu nomutengo wavo.
44:13b.PSA.044.013 Munotiita vanhu vanosekwa navatinogara navo, Vanhu vanozvidzwa nokusekwa navakatikomberedza.
44:14b.PSA.044.014 Munotiita shumo pakati pavahedheni, Vanhu vanotidzungudzira misoro.
44:15b.PSA.044.015 Zuva rose kuzvidzwa kwangu kuri pamberi pangu, Kunyara kwechiso changu kwakandifukidza.
44:16b.PSA.044.016 Nokuda kwenzwi romutuki nomuzvidzi; Nokuda kwomuvengi nomutsivi.
44:17b.PSA.044.017 Izvi zvose zvakatiwira; kunyange zvakadaro hatina kukukanganwai, Hatina kunyengedzera pasungano yenyu.
44:18b.PSA.044.018 moyo yedu haina kudzokera shure, Kutsika kwedu hakuna kutsauka panzira yenyu;
44:19b.PSA.044.019 Kunyange makatipwanya-pwanya panzvimbo yamakava, Mukatifukidza nomumvuri worufu.
44:20b.PSA.044.020 Kana tichinge takanganwa zita raMwari wedu, Kana kutambanudzira maoko edu kunaMwari wavamwe;
44:21b.PSA.044.021 Ko Mwari haanganzveri izvozvo here? Nokuti iye anoziva zvakavanzika zvomoyo.
44:22b.PSA.044.022 Zvirokwazvo, nokuda kwenyu tinourawa zuva rose; Tinonzi tiri makwai akatarirwa kubayiwa.
44:23b.PSA.044.023 Mukai, munovatireiko, Ishe? Mukai, musatirasha nokusingaperi.
44:24b.PSA.044.024 Munovanzireiko chiso chenyu, Muchikanganwa kutambudzika kwedu nokumanikidzwa kwedu?
44:25b.PSA.044.025 Nokuti mweya wedu wakotamira kuguruva; Dumbu redu rinonamatira pavhu.
44:26b.PSA.044.026 Simukai mutibatsire, Mutidzikunure nokuda kwounyoro hwenyu.
45
45:1b.PSA.045.001 moyo wangu unotutuma namashoko akanaka; Ndinotaura zvinhu zvandakaita zvinoreva mambo; Rurimi rwangu ipeni yomunyori anokurumidza kunyora.
45:2b.PSA.045.002 Imi makanaka-naka kupfuura vana vavanhu; Nyasha yakadururirwa pamiromo yenyu; Saka Mwari wakakuropafadzai nokusingaperi.
45:3b.PSA.045.003 Sungai munondo wenyu pachiuno chenyu, imi wamasimba, Ukuru hwenyu nohumambo hwenyu.
45:4b.PSA.045.004 Fambai noumambo hwenyu muchikunda, Nokuda kwezvokwadi nounyoro nokururama; Ruoko rwenyu rworudyi ngarukudzidzisei zvinotyisa.
45:5b.PSA.045.005 Miseve yenyu inopinza; Vanhu vanokundwa nemi; Inobaya pamoyo yavavengi vamambo.
45:6b.PSA.045.006 Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chiripo nokusingaperi-peri; Tsvimbo youshe hwenyu itsvimbo yakarurama.
45:7b.PSA.045.007 Makada kururama, mukavenga kusarurama; Naizvozvo Mwari, Mwari wenyu wakakuzodzai Namafuta okufara kupfuura shamwari dzenyu.
45:8b.PSA.045.008 nguvo dzenyu dzose dzinonhuwira nemura nearosi neakasia; Madimbwa akakufadzai achiridzwa mudzimba dzamambo dzenyanga dzenzou.
45:9b.PSA.045.009 Vakunda vamadzimambo vari pakati pavanhukadzi venyu vanokudzwa; Paruoko rwenyu rworudyi vahosi vamire vakashonga ndarama yeOfiri.
45:10b.PSA.045.010 Teerera mukunda, rangarira, urereke nzeve yako; Kanganwawo vanhu vako, neimba yababa vako;
45:11b.PSA.045.011 Ipapo mambo achada kunaka kwako; Nokuti ndiye Ishe wako; unamate kwaari iwe.
45:12b.PSA.045.012 Uye mukunda weTiro achavapo nechipo; Vafumi pakati pavanhu vachakumbira ngoni dzako.
45:13b.PSA.045.013 Mukunda wamambo akanaka kwazvo-kwazvo mukati meimba yamambo; nguvo dzake dzakarukwa nendarama.
45:14b.PSA.045.014 Uchaperekwa kuna mambo nenguvo dzakarukwa dzinamavara; Mhandara, shamwari dzake dzinomutevera, Vachaiswa kwamuri.
45:15b.PSA.045.015 Vachaperekwa nomufaro nokufarisisa; Vachapinda mumba mamambo.
45:16b.PSA.045.016 Panzvimbo yamadzibaba ako vana vako vachavapo, Vauchaita machinda panyika yose.
45:17b.PSA.045.017 Ndichayeudzira zita renyu kusvikira kumarudzi ose; Naizvozvo ndudzi dzavanhu dzichakuvongai nokusingaperi-peri.
46
46:1b.PSA.046.001 Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, Ndiye mubatsiri ari pedo-pedo panguva dzokumanikidzwa.
46:2b.PSA.046.002 Saka hatingatyi, kunyange nyika ikashanduka, Uye kunyange makomo akabviswa akaiswa mukati mamakungwa;
46:3b.PSA.046.003 Kunyange mvura zhinji yawo yotinhira nokumutswa, Kunyange makomo akadedera nokupupuma kwawo.
46:4b.PSA.046.004 Rwizi rwuripo nehova dzinofadza guta raMwari, Iyo nzvimbo tsvene yetabhenakeri dzoWokumusorosoro.
46:5b.PSA.046.005 Mwari ari mukati maro; haringazununguswi; Mwari acharibatsira kana utonga hwotsvuka.
46:6b.PSA.046.006 Vahedheni vakaita bope, ushe hwakazununguswa; Akataura nenzwi rake, nyika ikanyauka.
46:7b.PSA.046.007 Jehovha wehondo anesu; Mwari waJakobho inhare yedu.
46:8b.PSA.046.008 Uyai muone mabasa aJehovha, Zvishamiso zvaakaita panyika.
46:9b.PSA.046.009 Anogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika; Anovhuna uta, nokuvhuna-vhuna pfumo; Anopisa ngoro dzokurwa nomoto.
46:10b.PSA.046.010 Nyararai, muzive kuti ndini Mwari; Ndichava mukuru pakati pavahedheni, ndichava mukuru panyika.
46:11b.PSA.046.011 Jehovha wehondo anesu; Mwari waJakobho inhare yedu.
47
47:1b.PSA.047.001 Uchirai, imi vanhu vose! Pururudzai kuna Mwari nenzwi romufaro mukuru!
47:2b.PSA.047.002 Nokuti Jehovha wokumusoro-soro anotyisa; Ndiye Mambo mukuru panyika yose.
47:3b.PSA.047.003 Ndiye anotikundisa ndudzi dzavanhu, Nendudzi pasi petsoka dzedu.
47:4b.PSA.047.004 Ndiye anotitsaurira nhaka yedu, Iyo fuma yaJakobho waanoda.
47:5b.PSA.047.005 Mwari akwira nokudanidzira, Jehovha nokurira kwehwamanda.
47:6b.PSA.047.006 Imbirai Mwari nziyo dzokurumbidza, muimbirei nziyo dzokurumbidza; Imbirai Mambo wedu nziyo dzokurumbidza, muimbirei nziyo dzokurumbidza.
47:7b.PSA.047.007 Nokuti Mwari ndiye Mambo wapasi pose; Muimbirei rwiyo rwakanaka rwokumurumbidza.
47:8b.PSA.047.008 Mwari anobata ushe hwavahedheni; Mwari agere pachigaro chake chitsvene choushe.
47:9b.PSA.047.009 Machinda avanhu aungana pamwechete navanhu vaMwari waAbhurahamu; Nokuti nhovo dzapasi pose ndedzaMwari; Ndiye mukuru-kuru kwazvo.
48
48:1b.PSA.048.001 Jehovha mukuru, anofanira kurumbidzwa kwazvo, Muguta raMwari wedu, mugomo rake dzvene.
48:2b.PSA.048.002 Rakanaka pakukwirira kwaro, mufaro wapasi pose, Ndizvo zvakaita gomo reZiyoni, pamativi okumusoro, Ndizvo zvakaita guta raMambo mukuru.
48:3b.PSA.048.003 Padzimba dzaro dzamambo Mwari wakazviratidza kuti ndiye nhare.
48:4b.PSA.048.004 Nokuti tarirai, madzimambo akaungana, Akapfuura pamwechete.
48:5b.PSA.048.005 Vakariona, vakashamiswa; Vakavhunduka, vakakurumidza kutiza.
48:6b.PSA.048.006 Vakabatwapo nokudedera; Nokurwadziwa, somukadzi anopona.
48:7b.PSA.048.007 Munoputsa zvikepe zveTarishishi, Nemhepo, inobva mabvazuva.
48:8b.PSA.048.008 Sezvatakanzwa, ndizvo zvatakaona Paguta raJehovha wehondo, iro guta raMwari wedu; Mwari acharisimbisa nokusingaperi.
48:9b.PSA.048.009 Takafunga unyoro hwenyu, Mwari, Mukati metemberi yenyu.
48:10b.PSA.048.010 Sezvakaita zita renyu, Mwari, Ndizvo zvakaitawo kurumbidzwa kwenyu kusvikira kumigumo yapasi pose; Ruoko rwenyu rworudyi ruzere nokururama.
48:11b.PSA.048.011 Gomo reZiyoni ngarifare, Vakunda vaJudha ngavafare kwazvo, Nokuda kwezvamakatonga.
48:12b.PSA.048.012 Poteredzai Ziyoni, mupote naro, Muverenge shongwe dzaro.
48:13b.PSA.048.013 Cherekedzai zvakanaka nhare dzaro, Fambai pakati pedzimba dzaro dzamambo; Kuti muzoudza vazukuru venyu vanotevera.
48:14b.PSA.048.014 Nokuti Mwari ndiye Mwari wedu nokusingaperi-peri; Iye achava muperekedzi wedu kusvikira pakufa.
49
49:1b.PSA.049.001 Inzwai chinhu ichi, imi vanhu vose; Teererai, imi mose mugere panyika;
49:2b.PSA.049.002 Imi vaduku navanokudzwa, Vafumi navarombo pamwechete.
49:3b.PSA.049.003 Muromo wangu uchataura huchenjeri; Uye kufunga kwomoyo wangu kuchava nenjere.
49:4b.PSA.049.004 Ndicharerekera nzeve yangu inzwe mufananidzo; Ndichadudza shoko rangu rakavanzika nembira.
49:5b.PSA.049.005 Ndichatya neiko pamisi yezvakaipa, Kana zvakaipa, zvavanoda kundidzinga, zvichindikomba?
49:6b.PSA.049.006 Ivo, vanovimba nefuma yavo, Vanozvikudza pamusoro pokuwanda kwefuma yavo;
49:7b.PSA.049.007 Hapana angatongodzikunura hama yake, Kana kupa Mwari rudzikunuro pamusoro pake;
49:8b.PSA.049.008 (Nokuti rudzikunuro rwemweya yawo runokosha, Runofanira kuregwa nokusingaperi;)
49:9b.PSA.049.009 Kuti arambe ari mupenyu misi yose, Arege kuona kuora.
49:10b.PSA.049.010 Nokuti anoona kuti vachenjeri vanofa, Benzi neasina njere vanopera pamwechete, Vachisiyira vamwe fuma yavo.
49:11b.PSA.049.011 Vanofunga pamoyo pavo kuti dzimba dzavo dzichagara nokusingaperi, Nougaro hwavo kusvikira kumarudzi avo ose; Nyika dzavo vanodzitumidza mazita avo.
49:12b.PSA.049.012 Asi munhu haagari achikudzwa, Akafanana nemhuka dzinopera.
49:13b.PSA.049.013 Iyi ndiyo nzira yamapenzi; Kunyange zvakadaro vanhu vanovatevera vachitenda zvavanotaura.
49:14b.PSA.049.014 Vakatarirwa Sheori samakwai; Rufu ruchava mufudzi wavo; Vakarurama vachabata ushe pamusoro pavo mangwanani; Kunaka kwavo kuchangoparadzwa neSheori, kuti kurege kuva nougaro.
49:15b.PSA.049.015 Asi Mwari achadzikunura mweya wangu pasimba reSheori; Nokuti iye achandigamuchira.
49:16b.PSA.049.016 Usatya hako iwe kana mumwe munhu achifumiswa, Kana fuma yeimba yake ichiwedzerwa;
49:17b.PSA.049.017 Nokuti kana achifa hapana chaachaenda nacho; Mukurumbira wake haungaburuki uchimutevera.
49:18b.PSA.049.018 Kunyange paupenyu hwake waikorokotedza mweya wake, (Kunyange vanhu vaikurumbidza kana uchizviitira zvakanaka),
49:19b.PSA.049.019 Achaenda iye kurudzi rwamadzibaba ake; Ivo havangatongooni chiedza nokusingaperi.
49:20b.PSA.049.020 Munhu, anokudzwa, asina njere, Akafanana nemhuka dzinopera.
50
50:1b.PSA.050.001 Mwari, iye Mwari, Jehovha, ndiye akataura, Akadana pasi pose kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro.
50:2b.PSA.050.002 Mwari akapenya Ari paZiyoni, iro rakanaka-naka kwazvo.
50:3b.PSA.050.003 Mwari wedu anouya, haangarambi anyerere; Moto unoparadza pamberi pake, Dutu guru rinomukomberedza.
50:4b.PSA.050.004 Anodana denga kumusoro, Napasi, kuti atongere vanhu vake;
50:5b.PSA.050.005 Unganidzirai vatsvene vangu kwandiri; Ivo vakaita sungano neni nezvibayiro.
50:6b.PSA.050.006 Kudenga-denga kunodudzira kururama kwake; Nokuti Mwari ndiye mutongi amene.
50:7b.PSA.050.007 Inzwai vanhu vangu, ndichataura; Imi Isiraeri, ndichakupupurirai, Ndini Mwari, iye Mwari wenyu.
50:8b.PSA.050.008 Handingakutukiyi pamusoro pezvibayiro zvenyu; Zvipiriso zvenyu zvinopiswa zviri pamberi pangu nguva dzose.
50:9b.PSA.050.009 Handingatori nzombe paimba yako, Kana nhongo dzembudzi pazvirugu zvako.
50:10b.PSA.050.010 Nokuti mhuka dzose, dziri kudondo, ndedzangu, Nemombe pamakomo ane chiuru chamazana.
50:11b.PSA.050.011 Ndinoziva shiri dzose dzomumakomo; Mhuka dzose, dziri musango, ndedzangu.
50:12b.PSA.050.012 Kana ndaiva nenzara, handizaikuudza iwe; Nokuti nyika ndeyangu, nezvaizere nazvo.
50:13b.PSA.050.013 Ko ndingadya nyama yehando, Kana kunwa ropa rembudzi here?
50:14b.PSA.050.014 Bayirai Mwari zvibayiro zvokuvonga; Uripire Wokumusorosoro mhiko dzako;
50:15b.PSA.050.015 Udane kwandiri pazuva rokutambudzika; Ini ndichakurwira, iwe ugondirumbidza.
50:16b.PSA.050.016 Asi kuneakaipa Jehovha anoti, Iwe ungadudzira seiko zvandakatema, Nokureva sungano yangu nomuromo wako?
50:17b.PSA.050.017 Zvaunovenga kurairwa, Nokurasha mashoko angu shure kwako.
50:18b.PSA.050.018 Wakati uchiona mbavha, ukafarirana nayo, Unoshamwaridzana nemhombwe.
50:19b.PSA.050.019 Unotendera muromo wako kureva zvakaipa, Rurimi rwako runotaura nhema.
50:20b.PSA.050.020 Unogara uchipomera hama yako; Unoita makuhwa pamusoro pomwanakomana wamai vako.
50:21b.PSA.050.021 Zvinhu izvi wakazviita, ndikaramba ndinyerere; Wakafunga kuti ini ndakafanana newe chose; Asi ndichakuraira, ndichirongedzera zvinhu izvi pameso ako.
50:22b.PSA.050.022 Zvino fungai chinhu ichi, imi vokukanganwa Mwari, Ndirege kukubvamburai, mukashaiwa murwiri,
50:23b.PSA.050.023 Munhu, anobayira chibayiro chokuvonga, unondikudza; Uye anogadzira nzira yake zvakanaka Ndichamuratidza kuponesa kwaMwari.
51
51:1b.PSA.051.001 Ndinzwirei tsitsi, Mwari nokuda kwounyoro hwenyu; Dzimai kudarika kwangu nokuda kwengoni dzenyu zhinji.
51:2b.PSA.051.002 Ndisukei zvakaipa zvangu chose, Ndinatsei chivi changu.
51:3b.PSA.051.003 Nokuti ndinoziva kudarika kwangu; Chivi changu chinogara chiri pamberi pangu.
51:4b.PSA.051.004 Ndakakutadzirai imi, iyemi moga, Ndakaita chinhu chakaipa pamberi penyu; Kuti munzi makarurama pakutaura kwenyu, Muve usina mhosva pakutonga kwenyu.
51:5b.PSA.051.005 Tarirai, ndakaberekerwa muzvakaipa; Mai vangu vakandigamuchira muzvivi.
51:6b.PSA.051.006 Tarirai, munoda zvokwadi pamoyo; Munoda kundidzidzisa uchenjeri mukati makavanda.
51:7b.PSA.051.007 Ndinatsei nehisopi, ndive akanaka, Ndishambidzei, ndichene kupfuura mazayi echando.
51:8b.PSA.051.008 Ndinzwisei mufaro ndive nomoyo muchena; Kuti mapfupa amakavhuna afare.
51:9b.PSA.051.009 Vanzirai zvivi zvangu chiso chenyu, Dzimai zvakaipa zvangu zvose.
51:10b.PSA.051.010 Sikai mukati mangu moyo wakachena, Mwari; Vandudzai mukati mangu mweya wakarurama.
51:11b.PSA.051.011 Regai kundirasha pamberi penyu; Musabvisa mweya wenyu mutsvene kwandiri.
51:12b.PSA.051.012 Dzoseraizve kwandiri mufaro wokuponesa kwenyu; Nditsigirei nomweya, unoda.
51:13b.PSA.051.013 Ipapo ndichadzidzisa vadariki nzira dzenyu; Uye vatadzi vachatendeukira kwamuri.
51:14b.PSA.051.014 Ndirwirei pamhosva yeropa, Mwari, imi Mwari muponesi wangu; Ipapo rurimi rwangu ruchaimbira kururama kwenyu kwazvo.
51:15b.PSA.051.015 Ishe, zarurai miromo yangu; Ipapo muromo wangu uchaparidza kurumbidzwa kwenyu.
51:16b.PSA.051.016 Nokuti imi hamufariri zvibayiro; ndingadai ndaikupai izvo; Hamufadzwi nechipiriso chinopiswa.
51:17b.PSA.051.017 Zvibayiro zvaMwari mweya wakaputsika; moyo wakaputsika nowakapwanyika, imi Mwari hamungaushori.
51:18b.PSA.051.018 Itirai Ziyoni zvakanaka nokuda kwenyu; Vakai masvingo eJerusaremu.
51:19b.PSA.051.019 Ipapo muchafarira zvibayiro zvakarurama, nechipiriso chinopiswa nechipiriso chinopiswa chose; Ipapo vachabayira nzombe paaritari yenyu.
52
52:1b.PSA.052.001 Unozvirumbidzireiko nezvakashata, iwe mhare? Tsitsi dzaMwari dziripo misi yose.
52:2b.PSA.052.002 Rurimi rwako runofunga kutaura zvakaipa; Rwakafanana nechisvo chinopinza, ruchiita zvinonyengera.
52:3b.PSA.052.003 Unoda zvakaipa kupfuura zvakanaka; Nokureva nhema kupfuura kutaura zvakarurama.
52:4b.PSA.052.004 Unoda mashoko ose okuparadza, Iwe rurimi runonyengera.
52:5b.PSA.052.005 Mwari achakuparadzawo saizvozvo nokusingaperi, Achakubata akakubvisa patende rako, nokukudzura panyika yavapenyu.
52:6b.PSA.052.006 Vakarurama vachazviona vakatya, Vachamuseka, vachiti,
52:7b.PSA.052.007 Tarirai, hoyu munhu asina kuita Mwari nhare yake, Asi akavimba nokuwanda kwefuma yake, Akazvisimbisa pazvakaipa zvake.
52:8b.PSA.052.008 Asi kana ndirini, ndakafanana nomuorivhi munyoro muimba yaMwari; Ndinovimba netsitsi dzaMwari nokusingaperi-peri.
52:9b.PSA.052.009 Ndichakuvongai nokusingaperi, nokuti ndimi makazviita; Ndichamirira zita renyu pamberi pavatsvene venyu nokuti rakanaka.
53
53:1b.PSA.053.001 Benzi rakati mumoyo maro, Mwari hakuna . Vakaora, vakaita zvakaipa zvinonyangadza; Hakuna anoita zvakanaka.
53:2b.PSA.053.002 Mwari, ari kudenga, wakatarira pasi kuvana vavanhu, Kuti aone kana akachenjera aripo, Anotsvaka Mwari.
53:3b.PSA.053.003 Mumwe nomumwe wavo akadzokera shure; vakasvibiswa pamwechete; Hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwe.
53:4b.PSA.053.004 Ko vaiti vezvakaipa havana zivo here? Ivo vanodya vanhu vangu sechingwa, Vasingadani kuna Mwari.
53:5b.PSA.053.005 Vaitya kwazvo ipapo, pakanga pasina chinotyisa; Nokuti Mwari akaparadza mapfupa aiye akanga akakukomba; Iwe wakavanyadzisa, nokuti Mwari akavarasha.
53:6b.PSA.053.006 Dai kuponeswa kwaIsiraeri kwaibva paZiyoni! Kana Mwari achidzosa vanhu vake pakutapwa, Ipapo Jakobho achafara kwazvo naIsiraeri achafara.
54
54:1b.PSA.054.001 Ndirwirei Mwari, nezita renyu, Nditongerei nesimba renyu.
54:2b.PSA.054.002 Inzwai munyengetero wangu, Mwari; Rerekerai nzeve yenyu munzwe mashoko omuromo wangu.
54:3b.PSA.054.003 Nokuti vatorwa vakandimukira, Vamanikidzi vakatsvaka mweya wangu. Havana kuisa Mwari pamberi pavo.
54:4b.PSA.054.004 Tarirai, Mwari ndiye mubatsiri wangu. Ishe ari pakati pavanotsigira mweya wangu.
54:5b.PSA.054.005 Achatsiva zvakaipa kuvavengi vangu; Muvaparadze nokutendeka kwenyu.
54:6b.PSA.054.006 Ndichakubayirai nechipiriso chokungopa nokuzvidira, Ndichavonga zita renyu, Jehovha, nokuti rakanaka.
54:7b.PSA.054.007 Nokuti akandirwira pakutambudzika kwose; Ziso rangu rakaona kukundwa kwavavengi vangu.
55
55:1b.PSA.055.001 Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu, Mwari; Regai kuzvivanza pakukumbira kwangu.
55:2b.PSA.055.002 Nditeererei, mundipindure; . Ndinoshaiwa zororo mukuchema kwangu, ndichivuvura;
55:3b.PSA.055.003 Nokuda kwenzwi romuvengi, Nokuda kwokumanikidza kwowakaipa; , Nokuti vanondipomera zvakaipa, Vanonditambudza nokutsamwa kwavo.
55:4b.PSA.055.004 moyo wangu unorwadziwa kwazvo mukati mangu; Garudzo rorufu rakandiwira,
55:5b.PSA.055.005 Kutya nokubvunda zvakandiwira. Kutya kukuru kwakandifukidza.
55:6b.PSA.055.006 Ini ndakati, Haiwa, dai ndaiva namapapiro senjiva! Ndaibhururuka, ndikandozorora.
55:7b.PSA.055.007 Tarirai, ndingadai ndaitizira kure, Ndaindogara kurenje.
55:8b.PSA.055.008 Ndaikurumidza kundovanda, Nditize mhepo inovhuvhuta nedutu guru.
55:9b.PSA.055.009 Paradzai, Ishe mukanganise marimi avo; Nokuti ndakaona kumanikidza nokurwa muguta.
55:10b.PSA.055.010 Masikati novusiku vanoripoteredza pamasvingo aro; Zvakaipawo nezvakashata zviri mukati maro.
55:11b.PSA.055.011 Kushata kuri pakati paro; Kumanikidza nokunyengera hazvibvi panzira dzaro.
55:12b.PSA.055.012 Nokuti akanga asi muvengi akandishora; Ipapo ndaigona kutsunga; Akanga asi iye aindivenga akazvikudza kwandiri; Ipapo ndaimuvanda.
55:13b.PSA.055.013 Asi wakanga uriwe, munhu wakaenzana neni, Shamwari yangu, nomuzikanwi wangu.
55:14b.PSA.055.014 Taisirangana zvakanaka, Taifamba mumba maMwari pamwechete navanhu vazhinji.
55:15b.PSA.055.015 Rufu ngaruvawire kamwe-kamwe, Ngavaburikire kuSheori vari vapenyu; Nokuti kushata kuri paugaro hwavo, imo mukati mavo.
55:16b.PSA.055.016 Kana ndirini, ndichadana kuna Mwari; Jehovha achandiponesa.
55:17b.PSA.055.017 Madekwana namangwanani namasikati ndichachema ndichivuvura; Iye achanzwa inzwi rangu.
55:18b.PSA.055.018 Wakadzikunura mweya wangu norugare, kukasava nomumwe akaswedera kwandiri; Nokuti vakanga vachirwa neni, vaiva vazhinji.
55:19b.PSA.055.019 Mwari achanzwa, achavapindura, Iye aripo kare nakare, Nokuti havashanduki, Havatyi Mwari.
55:20b.PSA.055.020 Wakatambanudzira maoko ake kuna vaiva norugare naye; Wakashora sungano yake.
55:21b.PSA.055.021 Mashoko omuromo wake akatedza samafuta, Asi kurwa kwakanga kuri pamoyo pake; Mashoko ake akanga ari manyoro kupfuura mafuta, Kunyange zvakadaro yaiva minondo yakavhomorwa.
55:22b.PSA.055.022 Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye achakusimbisa; Haangatongotenderi akarurama kuti azununguswe.
55:23b.PSA.055.023 Asi imi Mwari muchavaburusira kugomba rokuparadzwa; Vanhu vanokarira ropa navanonyengera havangapedzi hafu yamazuva avo; Asi ini ndichavimba nemi.
56
56:1b.PSA.056.001 Ndinzwirei tsitsi, Mwari; nokuti vanhu vanotsvaka kundimedza; Zuva rose vanorwa neni vachindimanikidza.
56:2b.PSA.056.002 Vavengi vangu vanoda kundimedza zuva rose; Nokuti vanorwa neni vachizvikudza vazhinji.
56:3b.PSA.056.003 Panguva yandinotya, Ndichavimba nemi.
56:4b.PSA.056.004 MunaMwari ndicharumbidza shoko rake; Ndakavimba naMwari, handingatyi; Nyama ingandiiteiko?
56:5b.PSA.056.005 Zuva rose vanoshandura mashoko angu; Mifungo yavo yose inondifungira zvakaipa.
56:6b.PSA.056.006 Vanoungana, vanovanda, Vanocherekedza makwara angu, Kana vachivandira mweya wangu.
56:7b.PSA.056.007 Vachapukunyuka nenzira yezvakaipa here? Paradzai vanhu nokutsamwa kwenyu, Mwari.
56:8b.PSA.056.008 Imi munoverenga madzungairiro angu; Isai misodzi yangu mumidziyo yenyu; Haizi murugwaro rwenyu here?
56:9b.PSA.056.009 ipapo vavengi vangu vachadzokera shure nomusi wandinodana; Ndinoziva chinhu ichi, kuti Mwari ari kurutivi rwangu.
56:10b.PSA.056.010 MunaMwari ndicharumbidza shoko rake; MunaJehovha ndicharumbidza shoko rake.
56:11b.PSA.056.011 Ndakavimba naMwari, handingatyi; Vanhu vangandiiteiko?
56:12b.PSA.056.012 Ndinosungwa nezvandakakupikirai Mwari; Ndichakuvigirai zvipiriso zvokuvonga nazvo.
56:13b.PSA.056.013 Nokuti makarwira mweya wangu parufu; Namakumbo angu pakugumburwa. Kuti ndifambe pamberi paMwari Muchiedza choupenyu.
57
57:1b.PSA.057.001 . Ndinzwirei tsitsi, Mwari, ndinzwirei tsitsi; Nokuti mweya wangu unotizira kwamuri; Zvirokwazvo, ndichatizira kumumvuri wamapapiro enyu, Kusvikira njodzi dzapfuura.
57:2b.PSA.057.002 Ndichadanidzira kuna Mwari Wokumusorosoro; Kuna Mwari anondiitira zvose.
57:3b.PSA.057.003 Achatuma mubatsiri ari kudenga, andiponese, Kana iye, anovavarira kundimedza, achindishora; Mwari achatuma tsitsi dzake nezvokwadi yake.
57:4b.PSA.057.004 Mweya wangu uri pakati peshumba; Ndinovata pasi pakati pavanopfuta somoto, Ivo vanakomana vavanhu, vana meno anenge mapfumo nemiseve, Uye rurimi rwavo munondo unopinza.
57:5b.PSA.057.005 Imwi mukudzwe Mwari, pamusoro pokudenga-denga; Kurumbidzwa kwenyu ngakuve kumusoro kwapasi pose.
57:6b.PSA.057.006 Vakateyira tsoka dzangu mumbure; Mweya wangu wakakotamiswa; Vakachera hunza pamberi pangu; Vawira mukati mayo vamene.
57:7b.PSA.057.007 moyo wangu wakasimba, Mwari, moyo wangu wakasimba; Ndichaimba, zvirokwazvo, ndichaimba nziyo dzokurumbidza.
57:8b.PSA.057.008 Muka iwe moyo wangu, muka iwe mutengeranwa nembira; Ini ndimene ndichamuka mangwanani.
57:9b.PSA.057.009 Ndichakuvongai, Ishe, pakati pendudzi dzavanhu; Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza pakati pavahedheni.
57:10b.PSA.057.010 Nokuti ngoni dzenyu ihuru kusvikira kudenga-denga, Zvokwadi yenyu inosvikira kudenga rose.
57:11b.PSA.057.011 Imi mukudzwe Mwari, kumusoro kwokudenga-denga; Kurumbidzwa kwenyu ngakuve kumusoro kwapasi pose.
58
58:1b.PSA.058.001 Munototaura zvakarurama here, imi vane simba, Munotongera vanakomana vavanhu zvakarurama here?
58:2b.PSA.058.002 Zvirokwazvo, mumoyo menyu munoita zvakaipa; Munoyerera vanhu pasi pose kumanikidza kwamaoko enyu.
58:3b.PSA.058.003 Vakaipa vakava vatorwa kubva padumbu ramai; Vanotsauka vachangozvarwa, vachireva nhema.
58:4b.PSA.058.004 Uturu hwavo hwakafanana nouturu hwenyoka; Vakafanana nechiva chisinganzwi, chinodzivira nzeve yacho;
58:5b.PSA.058.005 Chisingateereri inzwi renanga, Kunyange achiimba nouchenjeri hukuru.
58:6b.PSA.058.006 Mwari vhunai meno avo avo mumuromo mavo; Jehovha gurai meno makuru avana veshumba.
58:7b.PSA.058.007 Ngavapwe semvura inoyerera; Kana achishumba nemiseve yake, ngaive seyakagurika.
58:8b.PSA.058.008 Ngavafanane nehozhwa inonyakatika ichipera; Segambamwedzi romukadzi risina kuona zuva.
58:9b.PSA.058.009 Hari dzenyu dzisati dzanzwa moto neweminzwa, Iye achadzibvisa nechamupupuri nyama igere, nomoto pamwechete.
58:10b.PSA.058.010 Akarurama achafara kana achiona kutsiva; Achashambidza tsoka dzake muropa ravakaipa.
58:11b.PSA.058.011 Naizvozvo vanhu vachati, Zvirokwazvo mubayiro wowakarurama uripo; Zvirokwazvo Mwari aripo, anotonga pasi pose.
59
59:1b.PSA.059.001 Ndirwirei pavavengi vangu, Mwari wangu; Ndiisei pakakwirira kure navanondimukira.
59:2b.PSA.059.002 Ndirwirei pavaiti vezvakaipa, Ndiponesei pavanhu veropa.
59:3b.PSA.059.003 Nokuti tarirai, vanovandira mweya wangu; Vane simba vakaungana kuzorwa neni; Hakuzi nokuda kwokudarika kwangu kana kwezvivi zvangu, Jehovha.
59:4b.PSA.059.004 Vanomhanya nokuzvigadzira, ini ndisina mhosva hangu; Mukai mundibatsire, muone.
59:5b.PSA.059.005 Iyemi Jehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri, Mukai mushanyire vahedheni vose; Musanzwira tsitsi mudariki upi noupi akaipa.
59:6b.PSA.059.006 Vanodzoka madekwana, vanohuhudza sembwa, Vanopota neguta.
59:7b.PSA.059.007 Tarirai, vanodzvova nemiromo Minondo iri pamiromo yavo; Nokuti vanoti, Ndianiko anganzwa?
59:8b.PSA.059.008 Asi imi Jehovha muchavaseka; Muchadadira vahedheni vose.
59:9b.PSA.059.009 Imi simba rangu, ndichakumirirai; Nokuti Mwari ndiye nhare yangu yakakwirira.
59:10b.PSA.059.010 Mwari wangu achandichingura netsitsi dzake; Mwari achandionesa kukundwa kwavavengi vangu.
59:11b.PSA.059.011 Musavauraya, kuti vanhu vangu varege kukanganwa; Muvaparadzire nesimba renyu, muvawisire pasi, Ishe nhovo yedu.
59:12b.PSA.059.012 Nokuda kwechivi chomuromo wavo, namashoko emiromo yavo, Ngavabatwe pakuzvikudza kwavo, Uye nokuda kwokutuka nenhema dzavanotaura.
59:13b.PSA.059.013 Vapedzei nehasha, vapedzei, varege kuzovapo; Ngavazive kuti Mwari anobata ushe pakati paJakobho, Kusvikira kumigumo yenyika.
59:14b.PSA.059.014 Panguva yamadekwana ngavadzoke, ngavahuhudze sembwa, Ngavapote-pote neguta.
59:15b.PSA.059.015 Vachadzungaira vachitsvaka zvokudya, Vachagara usiku hwose kana vasingaguti.
59:16b.PSA.059.016 Asi ini ndichaimba ndichireva simba renyu; Zvirokwazvo ndicharumbidza tsitsi dzenyu mangwanani; Nokuti makanga muri nhare yangu yakakwirira, Noutiziro hwangu pazuva rokutambudzika kwangu.
59:17b.PSA.059.017 Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza, imi simba rangu; Nokuti Mwari ndiye nhare yangu yakakwirira, iye Mwari anondinzwira tsitsi.
60
60:1b.PSA.060.001 Mwari, makatirasha, makatiparadza; Makanga makatsamwa; Haiwa, tidzorei.
60:2b.PSA.060.002 Makabvundisa nyika; makaitsemura; Gadzirai mitswe yayo; nokuti inozununguka.
60:3b.PSA.060.003 Makaratidza vanhu venyu zvinhu zvinorema; Makatinwisa waini inobata.
60:4b.PSA.060.004 Makapa vanokutyai mureza, Kuti uratidzwe nokuda kwezvokwadi.
60:5b.PSA.060.005 Kuti vadikanwi venyu varwirwe, Tiponesei noruoko rwenyu rworudyi, mutipindure.
60:6b.PSA.060.006 Mwari akataura pautsvene hwake, achiti, Ndichafara kwazvo; Ndichaganhura Shekemu, ndichayera mupata weSukoti.
60:7b.PSA.060.007 Giriyadhi ndeyangu Manase ndeyangu; Efuremuwo inhawiro yomusoro wangu; Judha ndiyo tsvimbo yangu youshe.
60:8b.PSA.060.008 Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambidzira; Pamusoro peEdhomu ndipo pandichakandira shangu yangu; Iwe Firisitia, pururudza nokuda kwangu.
60:9b.PSA.060.009 Ndianiko achandiisa muguta rakasimba? Ndianiko achandiperekedza ndiende Edhomu?
60:10b.PSA.060.010 Hamuna kutirasha here, Mwari? Hamubudi Mwari, nehondo dzedu.
60:11b.PSA.060.011 Tibatsirei pamudzivisi wedu; Nokuti kubatsira kwavanhu hakuna maturo.
60:12b.PSA.060.012 Muna Mwari tichaita noumhare; Nokuti ndiye achatsikira vadzivisi vedu pasi.
61
61:1b.PSA.061.001 Inzwai kuchema kwangu, Mwari, Teererai munyengetero wangu.
61:2b.PSA.061.002 Ndichadana kwamuri ndiri pamugumo wapasi, kana moyo wangu waziya; Ndiperekedzerei kudombo randisingasvikiri.
61:3b.PSA.061.003 Nokuti imi makanga muri utiziro hwangu, Neshongwe yangu yakasimba kwandingatiza muvengi wangu.
61:4b.PSA.061.004 Ndichagara patende renyu nokusingaperi; Ndichavanda munyasi mamapapiro enyu.
61:5b.PSA.061.005 Nokuti imi Mwari makanzwa mhiko dzangu; Makadzosa nhaka yavanotya zita renyu.
61:6b.PSA.061.006 Muchawedzera mazuva ohupenyu hwamambo; Makore ake achaenzana naamarudzi mazhinji.
61:7b.PSA.061.007 Achagara pamberi paMwari nokusingaperi; Mumugadzirire unyoro nezvokwadi, kuti zvimuchengete.
61:8b.PSA.061.008 Naizvozvo ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza nokusingaperi, Kuti ndiite mhiko dzangu zuva rimwe nerimwe.
62
62:1b.PSA.062.001 Zvirokwazvo, mweya wangu unongorindira Mwari; Kwaari ndiko kunobva kuponeswa kwangu.
62:2b.PSA.062.002 Ndiye oga dombo rangu nomuponesi wangu; Ndiye shongwe yangu yakakwirira; handingazununguswi zvikuru.
62:3b.PSA.062.003 Muchavavarira munhu kusvikira rinhiko, Kuti mumuuraye imi mose, Sorusvingo runoda kuwa, noruzhowa runotsveyama?
62:4b.PSA.062.004 Vanongorangana kuti vamusundire pasi abve paukuru hwake; Vanofarira nhema; Vanoropafadza nomuromo wavo, asi vanotuka mumoyo mavo.
62:5b.PSA.062.005 Mweya wangu, rindira Mwari zvirokwazvo Nokuti ndinomutarira iye.
62:6b.PSA.062.006 Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu; Ndiye shongwe yangu yakakwirira; handingazununguswi.
62:7b.PSA.062.007 Kuna Mwari ndiko kunokuponeswa kwangu nokukudzwa kwangu; Dombo resimba rangu noutiziro hwangu zviri kuna Mwari.
62:8b.PSA.062.008 Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu; Dururai moyo yenyu pamberi pake; Mwari ndiye utiziro hwedu.
62:9b.PSA.062.009 Zvirokwazvo vanhu vasingakudzwi mweya chete, uye vanhu vanokudzwa inhema; Pakuyerwa havaremi; Vose pamwechete vakareruka kupfuura mweya.
62:10b.PSA.062.010 Regai kuvimba nokumanikidza, Regai kuzvikudza pamusoro pokupambara; Kana fuma ichiwanda, regai kuinamatira nomoyo.
62:11b.PSA.062.011 Mwari akataura kamwechete, Ndakazvinzwa kaviri; Kuti simba nderaMwari;
62:12b.PSA.062.012 Netsitsiwo ndedzenyu, Ishe; Nokuti munoitira munhu mumwe nomumwe sezvaakabata.
63
63:1b.PSA.063.001 Mwari, imi muri Mwari wangu; ndichakutsvakai mangwanani; Mweya wangu unenyota kwamuri, nyama yangu inokushuvai, Panyika yakaoma, inonzwisa nyota, isina mvura.
63:2b.PSA.063.002 Naizvozvo ndakatarira kwamuri panzvimbo tsvene, Kuti ndione simba renyu nokubwinya kwenyu.
63:3b.PSA.063.003 Nokuti unyoro hwenyu hunokunda upenyu; Miromo yangu ichakurumbidzai.
63:4b.PSA.063.004 Naizvozvo ndichakuvongai ndichiri mupenyu; Ndichasimudza maoko angu nezita renyu.
63:5b.PSA.063.005 Mweya wangu uchaguta nezvinenge mwongo namafuta; Muromo wangu uchakurumbidzai nemiromo inofara kwazvo;
63:6b.PSA.063.006 Kana ndichikurangarirai panhovo yangu, Ndichikufungai panguva dzousiku.
63:7b.PSA.063.007 Nokuti makanga muri mubatsiri wangu, Pamumvuri wamapapiro enyu ndipo pandichafara kwazvo.
63:8b.PSA.063.008 Mweya wangu unokunamatirai nesimba rose; Ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira.
63:9b.PSA.063.009 Asi avo, vanotsvaka kuparadza mweya wangu, Vachapinda munzvimbo dzapasi dzenyika.
63:10b.PSA.063.010 Vachaiswa pasimba romunondo; Vachava mugove wamakava.
63:11b.PSA.063.011 Asi mambo achafara munaMwari; Mumwe nomumwe anopika naye achafara kwazvo; Nokuti muromo wavanoreva nhema uchadzivirwa.
64
64:1b.PSA.064.001 Inzwai inzwi rangu, Mwari, pakuchema kwangu; Chengetai upenyu hwangu ndirege kutyiswa nomuvengi.
64:2b.PSA.064.002 Ndivanzei pakurangana kwakavanda kwavanoita zvakaipa; Pabope ravanobata zvakaipa;
64:3b.PSA.064.003 Ivo vakarodza rurimi rwavo somunondo, Vakashumba miseve yavo, iwo mashoko anovava;
64:4b.PSA.064.004 Kuti vafure akarurama, vakavanda ivo; Kamwe-kamwe vanomufura, vasingatyi.
64:5b.PSA.064.005 Vanotsungirira pazano rakaipa; Vanorangana kuteya misungo pakavanda; Vanoti, Ndianiko angazviona?
64:6b.PSA.064.006 Vanofungisa zvakaipa; Vanoti, Tapedza kufungisa zano guru; Kufunga kwomukati kwomumwe nomumwe, nomoyo, zvakadzika.
64:7b.PSA.064.007 Asi Mwari achavapfura, Vachakuvadzwa kamwe-kamwe nomuseve.
64:8b.PSA.064.008 Naizvozvo vachagumbuswa, ndimi dzavo dzichivapupurira zvakaipa; Vose vanovaona vachadzungudza musoro.
64:9b.PSA.064.009 Vanhu vose vachatya; Vachaparidza basa raMwari, Vachicherekedza zvakanaka zvaanoita.
64:10b.PSA.064.010 Vakarurama vachafara muna Jehovha, vachavimba naye; Vose vane moyo yakarurama vachafara kwazvo.
65
65:1b.PSA.065.001 Imi Mwari munofanira kurumbidzwa paZiyoni; Imi munofanira kuitirwa mhiko.
65:2b.PSA.065.002 Imi vokunzwa munyengetero, Vanhu vose vanofanira kuuya kwamuri.
65:3b.PSA.065.003 Mashoko akaipa ondikunda; Kana kuri kudarika kwedu muchakudzima imi.
65:4b.PSA.065.004 Akaropafadzwa munhu wamunosanangura, wamunoswededza kwamuri, Kuti agare pavazhe dzenyu; Isu tichagutiswa nounaki hweimba yenyu, Iyo nzvimbo tsvene yetemberi yenyu.
65:5b.PSA.065.005 Mukururama kwenyu munotipindura nezvinhu zvinotyisa, Imi Mwari muponesi wedu; Imi chivimbo chamativi ose apasi, Navari kure pagungwa;
65:6b.PSA.065.006 Iye, anoteya makomo nesimba rake; Iye, akasungwa chiuno nesimba;
65:7b.PSA.065.007 Iye, unonyaradza kutinhira kwamakungwa, iko kutinhira kwamafungo awo, Nokupopota kwavanhu.
65:8b.PSA.065.008 Naivo vagere kumigumo vanotya zviratidzo zvenyu; Munofadza mabudiro amangwanani naamadeko.
65:9b.PSA.065.009 Munoshanyira pasi, munopadiridza, Munopafumisa kwazvo; Rwizi rwaMwari ruzere nemvura; Munovagadzirira zviyo, kana magadzira pasi saizvozvo.
65:10b.PSA.065.010 Munozadza mihoronga yapo kwazvo; Munoenzanisa mipanje yapo; Munopanyorovesa nemvura inopfunha; Munoropafadza zvinomera zvapo.
65:11b.PSA.065.011 Munoshongedza mwaka nekorona younaki hwenyu; Makwara enyu anodonha mafuta.
65:12b.PSA.065.012 Anodonha pamafuro erenje; Zvikomo zvinozvisunga nomufaro.
65:13b.PSA.065.013 Mafuro akafukidzwa namapoka ezvipfuwo; Uye mipatawo yakafukidzwa nezviyo; Zvinopururudza, zvichiimbawo.
66
66:1b.PSA.066.001 Pururudzai kuna Mwari, imi nyika dzose;
66:2b.PSA.066.002 Imbirai mukurumbira wezita rake; Rumbidzai kudzo yake.
66:3b.PSA.066.003 Itiyi kuna Mwari, Mabasa enyu anotyisa sei! Vavengi venyu vachazviisa pasi penyu nemhaka youkuru hwesimba renyu.
66:4b.PSA.066.004 Pasi pose pachanamata kwamuri, Pachakuimbirai; Vachaimbira zita renyu.
66:5b.PSA.066.005 Uyai, muone mabasa aMwari; Anotyisa pane zvaanoitira vana vavanhu.
66:6b.PSA.066.006 Akashandura gungwa rikava nyika yakaoma; Vakayambuka rwizi netsoka; Ipapo takafara maari.
66:7b.PSA.066.007 Anobata ushe nokusingaperi nesimba rake; Meso ake anocherekedza ndudzi; Vanomumukira ngavarege kuzvikudza.
66:8b.PSA.066.008 Vongai Mwari, imi vanhu, inzwi rokumurumbidza ngarinzwike;
66:9b.PSA.066.009 Iye anopa mweya upenyu, Asingatenderi tsoka dzedu kuti dzitedzemuke.
66:10b.PSA.066.010 Nokuti imi Mwari makatiidza; Makatiidza sezvinoidzwa sirivha.
66:11b.PSA.066.011 Makatipinza pamumbure; Makatitakudza mutoro unorema pazviuno zvedu.
66:12b.PSA.066.012 Makafambisa vanhu pamusoro pemisoro yedu, Takapinda nomumoto nemvura; Asi makatibudisa kunzvimbo inezvakawanda.
66:13b.PSA.066.013 Ndichapinda mumba menyu nezvipiriso zvinopiswa, Ndichakuitirai mhiko dzangu,
66:14b.PSA.066.014 Dzakarehwa nemiromo yangu, Dzakataurwa nomuromo wangu pakutambudzika kwangu.
66:15b.PSA.066.015 Ndichakubayirai zvipiriso zvinopiswa zvezvakakora, Nezvinonhuwira zvamakondohwe; Ndichabayira nzombe pamwechete nembudzi.
66:16b.PSA.066.016 Uyai munzwe, imi mose munotya Mwari, Ndichakududzirai zvaakaitira mweya wangu.
66:17b.PSA.066.017 Ndakachema kwaari nomuromo wangu, Akarumbidzwa zvikuru norurimi rwangu.
66:18b.PSA.066.018 Kana ndikarangarira zvakaipa mumoyo mangu, Ishe haangandinzwi;
66:19b.PSA.066.019 Asi zvirokwazvo Mwari akanzwa; Akateerera inzwi rokunyengetera kwangu.
66:20b.PSA.066.020 Mwari ngaavongwe, Iye asina kuramba munyengetero wangu, kana kubvisa tsitsi yake kwandiri.
67
67:1b.PSA.067.001 Mwari ngaatinzwire tsitsi, atiropafadze, Ngaativhenekere nechiso chake;
67:2b.PSA.067.002 Kuti nzira yenyu izikanwe pasi, Nokuponesa kwenyu pakati pendudzi dzose.
67:3b.PSA.067.003 Vanhu ngavakuvongei, Mwari; Vanhu vose ngavakuvongei.
67:4b.PSA.067.004 Ndudzi ngadzifare, ngadziimbe nomufaro; Nokuti muchatonga vanhu nokururama, Muchafambisa ndudzi pasi.
67:5b.PSA.067.005 Vanhu ngavakuvongei Mwari; Vanhu vose ngavakuvongei.
67:6b.PSA.067.006 Pasi pakabereka zvibereko zvapo; Mwari, iye Mwari wedu, achatiropafadza.
67:7b.PSA.067.007 Mwari achatiropafadza; Nemigumo yose yapasi ichamutya.
68
68:1b.PSA.068.001 Mwari ngaasimuke, vavengi vake ngavaparadzirwe; Vanomuvenga ngavatize pamberi pake.
68:2b.PSA.068.002 Muvadzinge, sokudzingwa kwoutsi; Sokunyauka kwenamo pamoto, Saizvozvo vakaipa ngavapere pamberi paMwari.
68:3b.PSA.068.003 Asi vakarurama ngavafare; ngavafare kwazvo pamberi paMwari; Ngavafare nokufara kukuru.
68:4b.PSA.068.004 Imbirai Mwari, imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza; Mumugadzirire mugwagwa wakanaka, iye anofamba nengoro napamarenje; Zita rake ndiJehovha; farai kwazvo pamberi pake.
68:5b.PSA.068.005 Baba venherera, nomutongi wemhosva dzechirikadzi, Ndiye Mwari paugaro hwake hutsvene.
68:6b.PSA.068.006 Vakanga vari voga, Mwari anovagarisa pamhuri; Anobudisira vasungwa kumufaro; Asi vanomumukira vanogara panyika yakaoma.
68:7b.PSA.068.007 Mwari, panguva yamakatungamirira vanhu venyu, Panguva yokufamba kwenyu murenje;
68:8b.PSA.068.008 Pasi pakabvunda, Kudenga-denga kwakadonha pamberi paMwari; Nairo Sinai rakabvunda pamberi paMwari, iye Mwari waIsiraeri.
68:9b.PSA.068.009 Imi Mwari makanisa mvura zhinji, Makasimbisa nhaka yenyu panguva yokuneta kwayo.
68:10b.PSA.068.010 Ungano yenyu yakagaramo; Imi Mwari makagadzirira varombo zvakanaka zvenyu.
68:11b.PSA.068.011 Ishe akataura shoko, Vakadzi vakaparidza shoko vaiva
68:12b.PSA.068.012 Madzimambo ehondo anotiza, Mukadzi akasara kumusha ndiye anogovera zvakapambwa.
68:13b.PSA.068.013 Kana imi movata pasi pakati pamatanga amakwai, Zvakafanana namapapiro enjiva akafukidzwa nesirivha, Neminhenga yakafukidzwa nendarama tsvuku.
68:14b.PSA.068.014 Panguva iyo waMasimbaose yaakaparadza madzimambomo, Zvakafanana nokuwa kwechando paZarimoni.
68:15b.PSA.068.015 Gomo reBhashani igomo raMwari; Gomo reBhashani igomo refu-refu.
68:16b.PSA.068.016 Imi makomo marefu, munogodorerei Iro gomo rakadikanwa naMwari kuti agare mariri? Jehovha achagara mariri nokusingaperi.
68:17b.PSA.068.017 Ngoro dzaMwari dzinosvika zviuru zvina makumi maviri, zviuru zvezviuru zvamazana; Ishe ari pakati padzo, sezvaakaita paSinai, panzvimbo tsvene.
68:18b.PSA.068.018 Makakwira kumusoro, mukatapa vatapwa venyu; Makagamuchira zvipo pakati pavanhu Zvirokwazvo pakati pavakakumukiraiwo, kuti Jehovha Mwari agare navo.
68:19b.PSA.068.019 Ishe ngaavongwe, iye anotakura mitoro yedu zuva rimwe nerimwe, Iye Mwari muponesi wedu.
68:20b.PSA.068.020 Mwari ndiye Mwari anotirwira; Jehovha Ishe ndiye ane nzira dzokubuda murufu.
68:21b.PSA.068.021 Asi Mwari achatema misoro yavavengi vake, Paganda romusoro rine vhudzi romunhu anorambira pakutadza kwake.
68:22b.PSA.068.022 Ishe akati, Ndichavadzosa paBhashani, Ndichavadzosazve pagungwa rakadzika;
68:23b.PSA.068.023 Kuti unyike rutsoka rwako muropa, Kuti ndimi dzembwa dzako dzive nomugove wadzo pavavengi vako.
68:24b.PSA.068.024 Vakaona mafambiro enyu, Mwari, Mafambiro aMwari wangu, Mambo wangu, achipinda panzvimbo tsvene.
68:25b.PSA.068.025 Vaimbi vakatungamira, varidzi vemitengeranwa vakatevera, Pakati pavasikana vakanga vachiridza makandira.
68:26b.PSA.068.026 Rumbidzai Mwari paungano, Iye Ishe, iyemi vetsime raIsiraeri.
68:27b.PSA.068.027 Bhenjamini muduku, mubati wavo, aripo, Namachinda aJudha navazhinji vavo, Namachinda aZebhuruni, namachinda aNafutari.
68:28b.PSA.068.028 Mwari wako akaraira simba rake; Simbisai, Mwari, izvo zvamakatiitira.
68:29b.PSA.068.029 Nokuda kwetemberi yenyu paJerusaremu Madzimambo achakuvigirai zvipo.
68:30b.PSA.068.030 Tukai chikara chetsanga, Hando zhinji, nemhuru dzendudzi dzavanhu, Vazviwisire pasi petsoka nemari yesirivha; Muparadzire vanhu vanofarira kurwa.
68:31b.PSA.068.031 Machinda achabuda Ijipiti; Itiopia ichakurumidza kutambanudza maoko ayo kuna Mwari.
68:32b.PSA.068.032 Imbirai Mwari, imi ushe hwapasi; Imbirai Ishe nziyo dzokurumbidza.
68:33b.PSA.068.033 Iye anotasva padenga rokudenga-denga, iro rakare nakare; Inzwai, anobudisa inzwi rake, inzwi rine simba.
68:34b.PSA.068.034 Ipai Mwari simba; Ukuru hwake huri pamusoro paIsiraeri, Simba rake riri mumakore.
68:35b.PSA.068.035 Imi Mwari munotyisa panzvimbo dzenyu tsvene; Mwari waIsiraeri ndiye anopa vanhu vake simba noushe. Mwari ngaavongwe.
69
69:1b.PSA.069.001 Ndiponesei, Mwari, Nokuti mvura zhinji yasvikira pamweya wangu.
69:2b.PSA.069.002 Ndinonyura munhope yakadzika, pokumira Ndakasvika pamvura zhinji yakadzika, pandinofukidzwa nenzizi.
69:3b.PSA.069.003 Ndaneta nokuchema kwangu; huro dzangu dzaoma; Meso angu anovava nokurindira Mwari wangu.
69:4b.PSA.069.004 Vanondivenga ndisina mhosva vazhinji kupfuura vhudzi romusoro wangu; Avo vanoda kundiparadza vane simba, kunyange vachindivenga ndisina mhosva; Ndakafanira kudzosera zvandinenge ndisina kutora.
69:5b.PSA.069.005 Mwari munoziva upenzi hwangu; Mhosva dzangu hadzina kukuvanzirwai.
69:6b.PSA.069.006 Ishe Mwari wehondo, vanokurindirai ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu; Mwari waIsiraeri, vanokutsvakai ngavarege kuzvidzwa nokuda kwangu.
69:7b.PSA.069.007 Nokuti ndakatenda kushorwa nokuda kwenyu; Kunyadza kwakafukidza chiso changu.
69:8b.PSA.069.008 Ndakava mutorwa kuhama dzangu, Nomubvakure kuvana vamai vangu.
69:9b.PSA.069.009 Nokuti kushingairira imba yenyu kwakandipedza; Nokushora, kwavanokushorai kwakawira pamusoro pangu.
69:10b.PSA.069.010 Panguva yokuchema kwangu nokutambudza mweya wangu ndichizvinyima, Ndakashorwa nokuda kwazvo.
69:11b.PSA.069.011 Panguva yandakafuka masaga ndikaaita nguvo dzangu, Ndakava shumo pakati pavo.
69:12b.PSA.069.012 Vanogara pasuo vanondireva; Ndiri chiimbo chavakabatwa nedoro.
69:13b.PSA.069.013 Asi kana ndirini, munyengetero wangu uri kwamuri, Ishe, panguva yakafanira; Mwari, netsitsi dzenyu zhinji Ndipindurei nokuponesa kwenyu kwakatendeka.
69:14b.PSA.069.014 Ndirwirei munhope, ndirege kunyura; Ndirwirwe kuna vanondivenga, napamvura zhinji yakadzika.
69:15b.PSA.069.015 Boporodzi remvura rirege kundikunda, Mvura yakadzika irege kundimedza; Gomba rirege kuzarira muromo waro pamusoro pangu.
69:16b.PSA.069.016 Ndipindurei, Jehovha; nokuti unyoro hwenyu hwakanaka; Ringirai kwandiri nokuda kwetsitsi dzenyu zhinji.
69:17b.PSA.069.017 Regai kuvanzira muranda wenyu chiso chenyu; Nokuti ndiri pakutambudzika; kurumidzai kundipindura.
69:18b.PSA.069.018 Swederai kumweya wangu, muudzikunure; Ndidzikunurei nokuda kwavavengi vangu.
69:19b.PSA.069.019 Munoziva kushorwa kwangu, nokunyadzwa kwangu nokuzvidzwa kwangu Vadzivisi vangu vose vari mberi kwangu.
69:20b.PSA.069.020 Kushora kwakaputsa moyo wangu; ndaremerwa kwazvo; Ndakatsvaka vangandinzwira nyasha, asi kwakanga kusino munhu; Ndakatsvaka vavaraidzi, asi handina kuwana nomumwe.
69:21b.PSA.069.021 Vakandipa nduru zvive zvokudya zvangu; Pakunzwa nyota kwangu vakandinwisa vhiniga.
69:22b.PSA.069.022 Tafura yavo ngaive musungo pamberi pavo; Neriva, kana vakagarika havo.
69:23b.PSA.069.023 Meso avo ngaapofumadzwe, varege kuona, Zviuno zvavo ngazvirambe zvichiguda-guda.
69:24b.PSA.069.024 Dururai kutsamwa kwenyu pamusoro pavo, Hasha dzenyu dzinopfuta, ngadzivabate.
69:25b.PSA.069.025 Ugaro hwavo ngahuparadzwe; Ngakurege kuva nomunhu anogara pamatende avo.
69:26b.PSA.069.026 Nokuti vanotambudza uyo wamakarova; Vanotaura zvokurwadziwa kwavaya vamakakuvadza.
69:27b.PSA.069.027 Wedzerai zvakaipa pazvakaipa zvavo; Ngavarege kupinda pakururama kwenyu.
69:28b.PSA.069.028 Ngavadzimwe parugwaro rwoupenyu, Varege kunyorwa pamwechete navakarurama.
69:29b.PSA.069.029 Asi ini ndiri murombo, ndinorwadziwa; Kuponesa kwenyu, Mwari, ngakundiise pakakwirira.
69:30b.PSA.069.030 Ndicharumbidza zita raMwari norwiyo, Ndichamukudza nokuvonga.
69:31b.PSA.069.031 Izvo zvichafadza Jehovha kupfuura nzombe, Kana hando ine nyanga namahwanda.
69:32b.PSA.069.032 Vanyoro vakazviona vakafara; Imi munotsvaka Mwari, moyo yenyu ngairarame.
69:33b.PSA.069.033 Nokuti Jehovha anonzwa vashaiwi, Haashori vasungwa vake.
69:34b.PSA.069.034 Kudenga napasi ngazvimurumbidze, Makungwa, nezvose zvinopfakanyikamo.
69:35b.PSA.069.035 Nokuti Mwari achaponesa Ziyoni, nokuvaka maguta aJudha, Vachagaramo, ive nhaka yavo.
69:36b.PSA.069.036 Ichava nhaka yavana vavaranda vake; Vanoda zita rake vachagaramo.
70
70:1b.PSA.070.001 Kurumidzai, Mwari, kundirwira; Kurumidzai kundibatsira, Jehovha.
70:2b.PSA.070.002 Ngavanyadziswe, ngavazvidzwe Ivo vanotsvaka mweya wangu; Ngavadzoserwe shure, vashovorwe Ivo vanofarira kundikuvadza.
70:3b.PSA.070.003 Ngavadzoserwe shure nokuda kwenyadzi dzavo Ivo vanoti, Hekani, hekani! Waro!
70:4b.PSA.070.004 Vose vanokutsvakai ngavafarise vave nomufaro mamuri; Vanoda kuponesa kwenyu ngavarambe vachiti, Mwari ngaakudzwe!
70:5b.PSA.070.005 Asi ini ndiri murombo nomushaiwi; Kurumidzai muuye kwandiri, Mwari; Imi muri mubatsiri wangu nomurwiri wangu; Regai kunonoka, Jehovha.
71
71:1b.PSA.071.001 Jehovha, ndinovimba nemi; Ngandirege kutongonyadziswa.
71:2b.PSA.071.002 Ndirwirei mukururama kwenyu, ndisunungurei; Rerekerai nzeve yenyu kwandiri, mundiponese.
71:3b.PSA.071.003 Ivai dombo rangu mandingagara, kwandingaramba ndichienda; Makaraira kuti ndiponeswe; Nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu.
71:4b.PSA.071.004 Ndisunungurei, Mwari wangu, paruoko rwowakaipa, Paruoko rwousina kururama nomunhu anomanikidza.
71:5b.PSA.071.005 Nokuti imi, Ishe Jehovha, muri tariro yangu; Ndimi wandinovimba naye kubva pauduku hwangu.
71:6b.PSA.071.006 Ndakatsigirwa nemi kubva pachizvaro; Ndimi makandibudisa padumbu ramai vangu; Ndichakurumbidzai.
71:7b.PSA.071.007 Ndiri chishamiso kuna vazhinji; Asi imi muri utiziro hwangu hwakasimba.
71:8b.PSA.071.008 Muromo wangu uchazadzwa nerumbidzo yenyu, Nekudzo yenyu zuva rose.
71:9b.PSA.071.009 Regai kundirasha panguva yokukwegura kwangu; Musandisiya kana ndapera simba.
71:10b.PSA.071.010 Nokuti vavengi vangu vanondireva; Vanogarira mweya wangu, vanorangana,
71:11b.PSA.071.011 Vachiti, Mwari amusiya; Teverai, mumubate; nokuti hakuna ungamurwira.
71:12b.PSA.071.012 Mwari, regai kuva kure neni; Mwari wangu, kurumidzai kundibatsira.
71:13b.PSA.071.013 Avo vanodzivisa mweya wangu ngavanyadziswe vapere; Vanotsvaka kundikuvadza ngavafukidzwe nokushorwa nokuzvidzwa.
71:14b.PSA.071.014 Asi ini ndicharamba ndichitarira, Ndicharamba ndichiwedzera kukurumbidzai.
71:15b.PSA.071.015 Muromo wangu uchareva kururama kwenyu, Nokuponesa kwenyu zuva rose:, Nokuti handizivi kuwanda kwazvo.
71:16b.PSA.071.016 Ndichauya namabasa ane simba raShe aJehovha; Ndichaparidza kururama kwenyu, iko kwenyu kwoga.
71:17b.PSA.071.017 Mwari, makandidzidzisa kubva paujaya hwangu; Kusvikira zvino ndadudzira mabasa enyu anoshamisa.
71:18b.PSA.071.018 Haiwa, kusvikira ndakwegura ndachena vhudzi, Mwari regai kundisiya; Kusvikira ndadudzira simba renyu kurudzi runouya, Nesimba renyu kunomumwe nomumwe anozouya.
71:19b.PSA.071.019 Kururama kwenyuwo, Mwari, kuri kumusoro-soro; Iyemi makaita zvinhu zvikuru, Mwari, ndianiko akafanana nemi?
71:20b.PSA.071.020 Iyemi makatiratidza madambudzo mazhinji akaipa, Ndimi muchatiraramisazve, Nokutikwidzazve tibve pakudzika kwapasi.
71:21b.PSA.071.021 Wedzerai hukuru hwangu, Dzokaizve mundinyaradze.
71:22b.PSA.071.022 Ndichakurumbidzaiwo nemitengeranwa, Naiyo zvokwadi yenyu, Mwari wangu; Ndichakuimbirai imi nziyo dzokurumbidza nembira, Iyemi Mutsvene walsiraeri.
71:23b.PSA.071.023 Miromo yangu ichafara kwazvo kana ndichikuimbirai nziyo dzokurumbidza; Nomweya wangu wamakadzikunura.
71:24b.PSA.071.024 Rurimi rwanguvo ruchataura zuva rose zvokururama kwenyu; Nokuti vanotsvaka kundikuvadza vanyadziswa, vazvidzwa.
72
72:1b.PSA.072.001 Ipai mambo zvamakatonga, Mwari, Nokururama kwenyu kumwanakomana wamambo.
72:2b.PSA.072.002 Achatongera vanhu venyu nokururama, Navarombo venyu achavaruramisira.
72:3b.PSA.072.003 Makomo nezvikomo achavigira vanhu rugare,nezvikomo nekururama.
72:4b.PSA.072.004 Achatongera varombo vavanhu, Achaponesa vana vavashaiwi, Nokupwanya mumanikidzi.
72:5b.PSA.072.005 Vachakutyai kana zuva richipo, Uye kana mwedzi uchipo, kusvikira kumarudzi namarudzi.
72:6b.PSA.072.006 Achaburuka iye semvura pauswa hwakagurirwa; Semvura inonaya ichidiridza pasi.
72:7b.PSA.072.007 Nemisi yake akarurama achakura zvakanaka; Rugare rwakawanda ruchavapo, kusvikira mwedzi waguma.
72:8b.PSA.072.008 Achabata ushe kubva pagungwa kusvikira pagungwa, Nokubva paRwizi kusvikira kumigumo yapasi.
72:9b.PSA.072.009 Vagere pamarenje vachapfugama pamberi pake; Vavengi vake vachananzva guruva.
72:10b.PSA.072.010 Madzimambo eTarishishi neezviwi achauya nezvipo; Madzimambo eShebha neSebha vachamuvigira zvipo;
72:11b.PSA.072.011 Zvirokwazvo, madzimambo ose achawira pasi pamberi pake; Ndudzi dzose dzichamushumira.
72:12b.PSA.072.012 Nokuti acharwira mushaiwi kana achidanidzira; Nomurombo asina mubatsiri.
72:13b.PSA.072.013 Achanzwira nyasha murombo nomushaiwi, Achaponesa mweya yavashaiwi.
72:14b.PSA.072.014 Achadzikunura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa; Ropa ravo richava chinhu chinokosha pamberi pake;
72:15b.PSA.072.015 Iye achararama, achapiwa ndarama yeShebha; Vanhu vacharamba vachimunyengeterera; Vachamuvonga zuva rose.
72:16b.PSA.072.016 Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo; Zvibereko zvazvo zvichavhunga seRebhanoni; Vanogara paguta vachakura souswa pasi.
72:17b.PSA.072.017 Zita rake richavapo nokusingaperi; Zita rake richagara riripo panguva yose yokuvapo kwezuva; Vanhu vacharopafadzwa maari; Ndudzi dzose dzichati, Anomufaro.
72:18b.PSA.072.018 Jehovha Mwari, iye Mwari waIsiraeri, ngaarumbidzwe, Iye oga anoita zvinoshamisa.
72:19b.PSA.072.019 Zita rake rinobwinya ngarirumbidzwe nokusingaperi; Pasi pose ngapazadzwe nokubwinya kwenyu. Ameni, Ameni.
72:20b.PSA.072.020 Minyengetero yaDhavhidhi mwanakomana waJese yapera.
73
73:1b.PSA.073.001 Zvirokwazvo Mwari anoitira Isiraeri zvakanaka, Ivo vane moyo yakachena.
73:2b.PSA.073.002 Asi kana ndirini, tsoka dzangu dzakanga dzotsauka; Makumbo angu akanga otedzemuka.
73:3b.PSA.073.003 Nokuti ndakanga ndichigodora vana manyawi, Pakuona kwangu kufara kwavakaipa.
73:4b.PSA.073.004 Nokuti havatambudziki pakufa kwavo; Asi muviri wavo une simba.
73:5b.PSA.073.005 Havana njodzi savamwe vanhu; Havatambudzwi savamwe vanhu
73:6b.PSA.073.006 Saka kuzvikudza kwavo kwakafanana noruketani pamitsipa yavo; Kumanikidza kunovafukidza senguvo.
73:7b.PSA.073.007 Meso avo anobuda nokukora; Zvavanofunga pamoyo zvinofashamira;
73:8b.PSA.073.008 Vanoseka, vachireva pakuipa kwavo zvinomanikidza vamwe; Vanotaura vachizvikudza.
73:9b.PSA.073.009 Vakataurira kudenga nemiromo yavo, Ndimi dzavo dzinofamba-famba pasi.
73:10b.PSA.073.010 Saka vanhu vake vanodzokera ikoko; Vanosvinirwa mvura zhinji, mukombe uzere.
73:11b.PSA.073.011 Zvino vanoti, Mwari angaziva seiko? Wokumusorosoro angava nokuziva here?
73:12b.PSA.073.012 Tarirai, ndizvo zvakaita vakaipa; Vanowedzera fuma yavo vachingogara vasingatamburi.
73:13b.PSA.073.013 Zvirokwazvo ndakanatsa moyo wangu pasina, Nokushambidza maoko angu ndisina mhosva;
73:14b.PSA.073.014 Nokuti ndakatambudzwa zuva rose, Ndakarangwa mangwanani ose.
73:15b.PSA.073.015 Kana ndaiti, ndichataura kudai; Tarirai, ndainyengera rudzi rwavana venyu.
73:16b.PSA.073.016 Zvino ndakaramba ndichifunga kuti ndizvinzwisise, Asi zvakandiremera kwazvo;
73:17b.PSA.073.017 Kusvikira ndapinda panzvimbo tsvene yaMwari, Ndikatarira kuguma kwavo.
73:18b.PSA.073.018 Zvirokwazvo munovaisa panotedza; Munovawisira pasi kuti vaparadzwe.
73:19b.PSA.073.019 Haiwa, vanoparadzwa kamwe-kamwe! Vanopedzwa chose nezvinotyisa.
73:20b.PSA.073.020 Sezvakarotwa, kana munhu apepuka; Saizvozvo, Ishe, muchashora mufananidzo wavo, kana muchimuka.
73:21b.PSA.073.021 Nokuti moyo wangu wakachema, Ndakabayiwa patsvo dzangu.
73:22b.PSA.073.022 Ndakanga ndiri benzi, ndisingazivi chinhu; Ndakanga ndakafanana nemhuka pamberi penyu.
73:23b.PSA.073.023 Kunyange zvakadaro ndinoramba ndinemi; Makabata ruoko rwangu rworudyi.
73:24b.PSA.073.024 Muchandiperekedza nezano renyu, Ndokuzondigamuchira pakubwinya.
73:25b.PSA.073.025 Ndianiko kudenga, kana musimi? Napasi hapana wandinoda kunze kwenyu.
73:26b.PSA.073.026 Nyama yangu nomoyo wangu zvinopera; Asi Mwari ndiye dombo romoyo wangu nomugove wangu nokusingaperi.
73:27b.PSA.073.027 Nokuti tarirai, vari kure nemi vachapera; Makaparadza vose vakakusiyai noupombwe hwavo.
73:28b.PSA.073.028 Kana ndirini, kuswedera pedo naye ndizvo zvinondifadza; Ishe Mwari ndakamuita nhare yangu, Kuti ndiparidze mabasa enyu ose.
74
74:1b.PSA.074.001 Haiwa Mwari, makatirashireiko nokusingaperi? Hasha dzenyu dzinopfungairira makwai amafuro enyu nemhaka yeiko?
74:2b.PSA.074.002 Rangarirai ungano yenyu yamakatenga kare, Yamakadzikunura kuti ruve rudzi rwenhaka yenyu; Gomo reZiyoni pamakanga mugere.
74:3b.PSA.074.003 Simudzai makumbo enyu muone zvakaparadzwa zvisingaperi, Izvo zvakaipa zvose zvakaitwa navavengi panzvimbo tsvene.
74:4b.PSA.074.004 Vadzivisi venyu vakanduruma pakati peungano yenyu; Vakamisa mireza yavo zvive zviratidzo.
74:5b.PSA.074.005 Vakafanana navanhu vakasimudza Masanhu mudondo remiti.
74:6b.PSA.074.006 Zvino zvose zvakavezwa zvayo Vanozviputsa nedimuro nenyundo.
74:7b.PSA.074.007 Vakapisa nzvimbo yenyu tsvene nomoto; Vakashatisa ugaro hwezita renyu vachihuputsira pasi.
74:8b.PSA.074.008 Vakati mumoyo mavo, Ngativaparadze pamwechete; Vakapisa nzvimbo dzose pavanounganira Mwari munyika.
74:9b.PSA.074.009 Hatichaoni zviratidzo zvedu; Hapachina muporofita; Pakati pedu hapana munhu anoziva kuti zvichasvikira rinhi.
74:10b.PSA.074.010 Haiwa Mwari, mudzivisi, achashora kusvikira rinhiko? Muvengi acharamba achizvidza zita renyu nokusingaperi here?
74:11b.PSA.074.011 Munodzosereiko ruoko rwenyu, irwo ruoko rwenyu rworudyi? Rutambanudzei pachipfuva chenyu, muvapedze.
74:12b.PSA.074.012 Kunyange zvakadaro Mwari ndiye Mambo wangu kubva kare, Iye anobata mabasa okuponesa pakati penyika,
74:13b.PSA.074.013 Makapamura gungwa nesimba renyu; Makaputsa misoro yezvikara zvegungwa mumvura.
74:14b.PSA.074.014 Makaputsanya misoro yengwena, Makaipa vanhu vagere murenje kuti ive nyama yavo.
74:15b.PSA.074.015 Makapamura tsime neboporodzi; Makapwisa nzizi huru.
74:16b.PSA.074.016 Masikati ndeenyu, nousiku ndohwenyuwo; Ndimi makagadzira chiedza nezuva.
74:17b.PSA.074.017 Ndimi makatara miganho yose yapasi; Ndimi makaita zhizha nechando.
74:18b.PSA.074.018 Rangarirai chinhu ichi, kuti muvengi akakuzvidzai, Jehovha, Uye kuti rudzi rwamapenzi rwakamhura zita renyu.
74:19b.PSA.074.019 Regai henyu kuisa kuchikara mweya wenjiva yenyu; Musakanganwa upenyu hwavarombo venyu.
74:20b.PSA.074.020 Rangarirai sungano; Nokuti nzvimbo dzine rima dzapasi dzizere nougaro hwavamanikidzi.
74:21b.PSA.074.021 Haiwa, vanomanikidzwa ngavarege kudzoka vachinyara; Varombo navashaiwi ngavarumbidze zita renyu.
74:22b.PSA.074.022 Simukai Mwari, muzvireverere mhaka yenyu, Rangarirai kuzvidzwa kwenyu nebenzi zuva rose.
74:23b.PSA.074.023 Regai kukanganwa inzwi ravadzivisi venyu; Bope ravanokumukira rinogara richikwira.
75
75:1b.PSA.075.001 Tinokuvongai, Mwari; Tinovonga, nokuti zita renyu riri pedo; Vanhu vanoparidza mabasa enyu anoshamisa.
75:2b.PSA.075.002 Kana ndichiwana nguva yakafanira, Ndichatonga zvakarurama.
75:3b.PSA.075.003 Pasi pose panyauka navose vagerepo; Ndini ndakamisa mbiru dzayo.
75:4b.PSA.075.004 Ndakati.kuna vanamanyawi , Regai kuita namanyawi; Nokuna vakaipa, Regai kusimudza runyanga.
75:5b.PSA.075.005 Regai kusimudza runyanga rwenyu kudenga; Regai kutaura nomutsipa mukukutu.
75:6b.PSA.075.006 Nokuti kunyange kumabudazuva, kana kumavirira, Kana kurenje, hakuzi ikoko kunobva kukudzwa.
75:7b.PSA.075.007 Asi Mwari ndiye mutongi; Anoninipisa mumwe achikudza mumwe.
75:8b.PSA.075.008 Nokuti muruoko rwaJehovha munomukombe, newaini inopupuma; Uzere nezvakavhenganiswa, zvino anodurura mauri; Zvirokwazvo, vakaipa vose venyika vachasvina masese awo, nokuanwa.
75:9b.PSA.075.009 Asi ini ndichaparidza nokusingaperi, Ndichaimbira Mwari waJakobho nziyo dzokurumbidza.
75:10b.PSA.075.010 Nyanga dzose dzavakaipa ndichadzigura; Asi nyanga dzavakarurama dzichasimudzwa.
76
76:1b.PSA.076.001 Mwari anozikanwa pakati paJudha; Zita rake iguru pakati palsiraeri.
76:2b.PSA.076.002 PaSaremiwo ndipo pane tabhenakeri yake, NapaZiyoni ugaro hwake.
76:3b.PSA.076.003 Ndipo paakavhuna miseve youta; Nenhovo, nomunondo, nokurwa.
76:4b.PSA.076.004 Imi munokubwinya, makanaka kwazvo, Kupfuura makomo ezvakapambwa.
76:5b.PSA.076.005 Vakatsunga pamoyo, vakapambwa, vakavata hope dzavo; Pakati pavarume vane simba hakuna akawana maoko ake.
76:6b.PSA.076.006 Pakutuka kwenyu, Mwari waJakobho, Ngoro nebhiza zvose zvinobatwa nehope dzorufu.
76:7b.PSA.076.007 Imi, iyemi, munofanira kutyiwa; Ndianiko angamira pamberi penyu kana matsamwa?
76:8b.PSA.076.008 Makanzwisa vanhu kutonga kwenyu kuchibva kudenga; Pasi pakatya, pakanyarara,
76:9b.PSA.076.009 Panguva yokumuka kwaMwari kuzotonga, Kuti aponese vanyoro vose vapasi.
76:10b.PSA.076.010 Zvirokwazvo, kutsamwa kwavanhu kuchakurumbidzai; Munozvisunga chiuno nokutsamwa kwakasara.
76:11b.PSA.076.011 Pikai, muripire Jehovha Mwari wenyu; Vose vakamupoteredza ngavauye nezvipo kuna iye anofanira kutyiwa;
76:12b.PSA.076.012 Iye achagura mweya yamachinda; Anotyisa kwazvo madzimambo apasi.
77
77:1b.PSA.077.001 Ndichadana kuna Mwari nenzwi rangu; kuna iye Mwari nenzwi rangu, acharerekera nzeve yake kwandiri.
77:2b.PSA.077.002 Pazuva rokutambudzika kwangu ndakatsvaka Ishe; Ruoko rwangu rwakanga rwakatambanudzwa usiku, ndisingaregi; Mweya wangu wakaramba kunyaradzwa.
77:3b.PSA.077.003 Ndinorangarira Mwari, ndokushaiwa mufaro; Ndinofungisisa, mweya wangu ndokuziya.
77:4b.PSA.077.004 Hamutenderi meso angu kutsinzina; Ndinotambudzika, handigoni kutaura.
77:5b.PSA.077.005 Ndakarangarira mazuva ekare, Makore enguva dzakare-kare.
77:6b.PSA.077.006 Ndinozviyeudzira kuimba kwangu pakati pousiku; Ndinotaurirana nomoyo wangu; Mweya wangu wakanzvera kwazvo.
77:7b.PSA.077.007 Ko Ishe angarasha nokusingaperi? Haachazonzwiri ngoni here?
77:8b.PSA.077.008 Ko tsitsi dzake dzaenda chose nokusingaperi? Chipikirwa chake chakakona nokusingaperi here?
77:9b.PSA.077.009 Ko Mwari akanganwa kuva nenyasha? Apfigira tsitsi dzake nyoro pakutsamwa kwake here?
77:10b.PSA.077.010 Ipapo ndakati, Ndihwo utera hwangu, Asi ndicharangarira makore oruoko rworudyi rwoWokumusorosoro.
77:11b.PSA.077.011 Ndichareva zvakaitwa naJehovha; Nokuti ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare.
77:12b.PSA.077.012 Ndichafungisawo basa renyu rose, Nokurangarira zvamakaita.
77:13b.PSA.077.013 Nzira yenyu, Mwari, iri panzvimbo tsvene; Ndianiko mwari mukuru, akafanana naiye Mwari?
77:14b.PSA.077.014 Ndimi Mwari anoita zvishamiso; Makaratidza simba renyu pakati pavanhu.
77:15b.PSA.077.015 Makadzikunura vanhu venyu noruoko rwenyu, Ivo vanakomana vaJakobho naJosefa.
77:16b.PSA.077.016 Mvura zhinji yakakuonai, Mwari; Mvura zhinji yakakuonai, ikatya; Pakadzika pakabvunda.
77:17b.PSA.077.017 Makore akadurura mvura; Denga rose rakabudisa inzwi; Miseve yenyu yakafambafamba kwose.
77:18b.PSA.077.018 inzwi rokutinhira kwenyu rakanga riri muchamupupuri; Mheni dzakavhenekera nyika; Pasi pakabvunda nokuzununguka.
77:19b.PSA.077.019 Kufamba kwenyu kwakanga kuri mugungwa, Nenzira dzenyu mumvura zhinji-zhinji, Makwara enyu akanga asingazikanwi.
77:20b.PSA.077.020 Makafambisa vanhu venyu seboka ramakwai, Noruoko rwaMozisi norwaAroni.
78
78:1b.PSA.078.001 Teererai murayiro wangu, imi vanhu vangu; Rerekerai nzeve dzenyu munzwe mashoko omuromo wangu.
78:2b.PSA.078.002 Ndichashamisa muromo wangu nditaure nomufananidzo; Ndichaparidza mashoko akavanzika ekare,
78:3b.PSA.078.003 Zvatakanzwa nezvatakaziva, Nezvatakaudzwa namadzibaba edu.
78:4b.PSA.078.004 Hatingazvivanziri vana vavo, Asi tichaudza rudzi runotevera mabasa angarumbidzwa aJehovha , Nesimba rake, namabasa ake, anoshamisa, aakaita.
78:5b.PSA.078.005 Nokuti akamutsa chipupuriro pakati. paJakobho, Akatema murayiro pakati paIsiraeri, Akazviraira madzibaba edu, Kuti vazvizivise vana vavo;
78:6b.PSA.078.006 Kuti rudzi runotevera ruzvizive, ivo vana vachazoberekwa; Ivo vasimuke vazviudze vana vavo;
78:7b.PSA.078.007 Kuti tariro yavo ive kuna Mwari, Varege kukanganwa mabasa aMwari, Asi vachengete mirairo yake;
78:8b.PSA.078.008 Varege kufanana namadzibaba avo, Rwakanga ruri rudzi rusingateereri, rwakamukira Mwari. Rudzi rwakaramba kururamisa moyo yavo, Uye mweya yavo yakanga isina kutendeka kuna Mwari.
78:9b.PSA.078.009 Vana vaEfuraimu, kunyange vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa nouta, Vakadzokera shure pazuva rokurwa.
78:10b.PSA.078.010 Havana kuchengeta sungano yaMwari, Vakaramba kufamba nomurayiro wake;
78:11b.PSA.078.011 Vakakanganwa zvaakaita, Namabasa ake akashamisa, aakavaratidza.
78:12b.PSA.078.012 Wakaita zvinhu zvinoshamisa pamberi pamadzibaba avo, Panyika yeIjipiti, pasango reZoani.
78:13b.PSA.078.013 Wakapamura gungwa, akavayambusa; Akamisa mvura ikafanana nomurwi.
78:14b.PSA.078.014 Masikatiwo wakavafambisa negore, Nousiku hwose nechiedza chomoto.
78:15b.PSA.078.015 Wakapamura matombo murenje, Akavanwisa zvakanaka kwazvo sapamvura inobva pakadzika.
78:16b.PSA.078.016 Akabudisawo hova dzemvura padombo, Akayererisa mvura zhinji yakaita senzizi.
78:17b.PSA.078.017 Kunyange zvakadaro vakaramba vachimutadzira, Nokumukira Wokumusorosoro murenje.
78:18b.PSA.078.018 Vakaidza Mwari mumoyo mavo Vachikumbira zvokudya zvavakanga vachidawo.
78:19b.PSA.078.019 vakapopotera Mozisi Vakati, Mwari angatigadzirira chokudya murenje here?
78:20b.PSA.078.020 Tarirai, akarova dombo, mvura zhinji ikadzutuka, Hova dzakayerera; Ko angapa chingwawo here? Ungavigira vanhu vake nyama here?
78:21b.PSA.078.021 Saka Jehovha akanzwa, akatsamwa; Moto ukaveserwa Jakobho, Kutsamwa kukamukira Isiraeri;
78:22b.PSA.078.022 Nokuti havana kutenda Mwari, Havana kuvimba nokuponeswa kwake.
78:23b.PSA.078.023 Kunyange zvakadaro wakaraira denga rose kumusoro, Akazarura mikova yokudenga;
78:24b.PSA.078.024 Akanisa mana pamusoro pavo kuti vadye, Akavapa zviyo zvokudenga.
78:25b.PSA.078.025 Vanhu vakadya chingwa chavatumwa; Akavatumira zvokudya kusvikira vaguta.
78:26b.PSA.078.026 Akabudisa mhepo yakabva mabvazuva, ikarira kudenga; Akafambisa mhepo yakabva nyasi nesimba rake.
78:27b.PSA.078.027 Akanisawo nyama pamusoro pavo ikaita seguruva, Neshiri, dzina mapapiro, dzikaita sejecha regungwa;
78:28b.PSA.078.028 Akazviwisira pakati pemisasa yavo, Pose-pose pavakanga vagere.
78:29b.PSA.078.029 Ipapo vakadya, vakaguta kwazvo; Akavapa zvavakanga vachikarira.
78:30b.PSA.078.030 Vakanga vasati vanyaradza kukara kwavo, Zvokudya zvavo zvakanga zvichiri mumiromo yavo,
78:31b.PSA.078.031 Kutsamwa kwaMwari kukavamukira, Akauraya vakakoresa pakati pavo, Akaparadza majaya aIsiraeri.
78:32b.PSA.078.032 Kunyange zvakadaro vakaramba vachitadza, Vakasatenda mabasa ake aishamisa.
78:33b.PSA.078.033 Saka akapedza mazuva avo panezvisina maturo, Namakore avo panezvinotyisa.
78:34b.PSA.078.034 Zvino akati achivauraya, ipapo vakamubvunza , vakashingaira kutsvaka Mwari.
78:35b.PSA.078.035 Vakarangarira kuti Mwari ndiye dombo ravo, NaMwari Wokumusorosoro mudzikunuri wavo.
78:36b.PSA.078.036 Asi vakamubata kumeso nemiromo yavo, Vakamurevera nhema nendimi dzavo.
78:37b.PSA.078.037 Nokuti moyo yavo yakanga isina kururama kwaari, Uye vakanga vasina kutendeka pasungano yake.
78:38b.PSA.078.038 Asi iye, zvaakanga ane nyasha huru, akavakanganwira kuipa kwavo, akasavaparadza; Zvirokwazvo, kazhinji akadzora kutsamwa kwake, Akasamutsa hasha dzake dzose.
78:39b.PSA.078.039 Akarangarira kuti vakanga vari nyama bedzi; Nemhepo, inopfuura, isingadzokizve.
78:40b.PSA.078.040 Vakamumukira murenje kazhinji sei, Nokumunzwisa shungu mugwenga!
78:41b.PSA.078.041 Vakapamhidzazve, vakaidza Mwari, Vakadzivisa Mutsvene waIsiraeri.
78:42b.PSA.078.042 Havana kurangarira ruoko rwake, Kana zuva raakavadzikunura pamudzivisi.
78:43b.PSA.078.043 Panguva yaakavaratidza zviratidzo zvake Nezvishamiso zvake pasango reZoani;
78:44b.PSA.078.044 Akashandura nzizi dzavo dzikava ropa, Nehova dzavo, vakakoniwa kunwa mvura yadzo.
78:45b.PSA.078.045 Akatuma pakati pavo mapupira enhunzi, dzakavaruma; Namatafi, akavaparadza.
78:46b.PSA.078.046 Zvibereko zvavo wakazvipa mhunduru, Zvavakabatira akazvipa mhashu.
78:47b.PSA.078.047 Akaparadza mizambiringa yavo nechimvuramabwe, Nemionde yavo nechando.
78:48b.PSA.078.048 Mombe dzavo akadziisawo pachimvuramabwe, Zvipfuwo zvavo akazviisa pamheni.
78:49b.PSA.078.049 Akatuma pakati pavo kutsamwa kwake kukuru, Nehasha neshungu nokutambudza, Rikaita boka ravatumwa vezvakaipa.
78:50b.PSA.078.050 Akagadzirira kutsamwa kwake nzira; Haana kubvisa mweya wavo parufu, Asi akaisa upenyu hwavo kuhosha;
78:51b.PSA.078.051 Akarova matangwe ose paIjipiti, Ivo vokutanga vesimba ravo pamatende aHami;
78:52b.PSA.078.052 Asi akabudisa vanhu vake samakwai, Akavaperekedza murenje seboka rezvipfuwo.
78:53b.PSA.078.053 Akavafambisa vakafara, vakasatya; Asi gungwa rakafukidza vavengi vavo.
78:54b.PSA.078.054 Akavasvitsa panyika yake tsvene, Pagomo iri, raakatenga noruoko rwake rworudyi.
78:55b.PSA.078.055 Akadzingawo ndudzi pamberi pavo, Akavaganhurira ivo vave nhaka yavo, Akagarisa vaIsiraeri pamatende avo.
78:56b.PSA.078.056 Kunyange zvakadaro vakaidza Mwari Wokumusorosoro, vakamumukira, Vakasachengeta zvipupuriro zvake;
78:57b.PSA.078.057 Asi vadzoka, vakaita zvinonyengera. Vakatsauka souta hunonyengera.
78:58b.PSA.078.058 Nokuti vakamutsa kutsamwa kwake namatunhu avo akakwirira, Vakamutsa godo rake nezvifananidzo zvavo zvakaveziwa.
78:59b.PSA.078.059 Zvino Mwari akati achizvinzwa, akatsamwa kwazvo, Akasema Isiraeri kwazvo-kwazvo.
78:60b.PSA.078.060 Akabva patabhenakeri yeShiro, Tende raakanga akaisa pakati pavanhu;
78:61b.PSA.078.061 Akaisa simba rake mukutapwa, Nokubwinya kwake muruoko rwomudzivisi.
78:62b.PSA.078.062 Vanhu vake wakavaisawo kumunondo; Akatsamwira nhaka yake kwazvo.
78:63b.PSA.078.063 Moto wakapedza majaya avo; Vasikana vavo havana kuimbirwa pakuwanikwa kwavo.
78:64b.PSA.078.064 Vapirisiti vavo vakaurawa nomunondo; Chirikadzi dzavo hadzina kuchema.
78:65b.PSA.078.065 Ipapo Ishe akapepuka somunhu akanga avete, Semhare inoridza mhere nokuda kwewaini.
78:66b.PSA.078.066 Akarova vadzivisi vake, vakadzokera sure. Akavanyadzisa zvisingaperi.
78:67b.PSA.078.067 Akarambawo tende raJosefa, Akasanangura rudzi rwaEfuremu.
78:68b.PSA.078.068 Asi akasanangura rudzi rwaJudha, Negomo reZiyoni raakanga achida.
78:69b.PSA.078.069 Akavaka nzvimbo yake tsvene senhare dzakakwirira, Sapasi paakateya nokusingaperi.
78:70b.PSA.078.070 Akasanangurawo Dhavhidhi muranda wake, Akamubvisa pamatanga amakwai;
78:71b.PSA.078.071 Akandomutora paaifudza matunzvi aimwisa, Kuti ave mufudzi wavanhu vake Jakobho, naIsiraeri nhaka yake.
78:72b.PSA.078.072 Naizvozvo akavafudza nokururama kwomoyo wake; Akavaperekedza nouchenjeri hwamaoko ake.
79
79:1b.PSA.079.001 Haiwa Mwari, vahedheni vakapinda panhaka yenyu; Vakasvibisa temberi yenyu tsvene; Jerusaremu vakariita dongo.
79:2b.PSA.079.002 Zvitunha zvavaranda venyu vakazvipa shiri dzokudenga zvive zvokudya zvadzo. Uye nyama yavatsvene venyu vakaipa zvikara zvapasi.
79:3b.PSA.079.003 Vakateura ropa ravo pose-pose paJerusaremu semvura; Vakashaiwa anovaviga.
79:4b.PSA.079.004 Tava chinhu chinoshorwa navatigere navo, Chinhu chinozvidzwa nechinosekwa navakatipoteredza.
79:5b.PSA.079.005 Haiwa Jehovha, mucharamba makatsamwa nokusingaperi kusvikira rinhiko? Godo renyu richapfuta somoto here?
79:6b.PSA.079.006 Dururai hasha dzenyu pamusoro pavahedheni vasingakuziviyi, Napamusoro poushe huzhinji, husingadi zita renyu.
79:7b.PSA.079.007 Nokuti vakapedza Jakobho, Vakaparadza ugaro hwake.
79:8b.PSA.079.008 Musarangarira kutirova pamusoro pezvakaipa zvamadzibaba edu; Ngoni dzenyu nyoro ngadzikurumidze kusangana nesu; nokuti taneta kwazvo.
79:9b.PSA.079.009 Tibatsirei, Mwari muponesi wedu, nokuda kwomukurumbira wezita renyu;
79:10b.PSA.079.010 Vahedheni vacharevereiko, vachiti, Mwari wavo aripiko? Kutsihwa kweropa ravaranda venyu, rakateurwa, Ngakuzikanwe pakati pavahedheni pamberi pedu.
79:11b.PSA.079.011 Kugomera kwomusungwa ngakusvike kwamuri; Noukuru hwesimba renyu chengetai vana vorufu;
79:12b.PSA.079.012 Mutsivire vagere nesu kanomwe pachipfuva chavo. Kushora kwavakakushorai nako, imi Ishe.
79:13b.PSA.079.013 Naizvozvo isu vanhu venyu, namakwai amafuro enyu, Tichakuvongai nokusingaperi; Ticharatidza kurumbidzwa kwenyu kumarudzi namarudzi.
80
80:1b.PSA.080.001 teererai nenzeve, Mufudzi waIsiraeri, Iyemi munotungamirira Josefa seboka rezvipfuwo; Imi mugere pakati pamakerubhi, penyai!
80:2b.PSA.080.002 Mutsai simba renyu pamberi paEfuremu naBhenjamini naManase, Muuye kuzotirwira.
80:3b.PSA.080.003 Tidzosereizve, Mwari; Penyesai chiso chenyu, isu tiponeswe.
80:4b.PSA.080.004 Jehovha, Mwari wehondo, Muchatsamwira munyengetero wavanhu venyu kusvikira rinhiko?
80:5b.PSA.080.005 Makavadyisa zvokudya zvemisodzi, Nokuvanwisa misodzi yakawanda kwazvo.
80:6b.PSA.080.006 Makatiita chinhu chinoitirwa nharo navatigere navo; Vavengi vedu vanotiseka pakati pavo.
80:7b.PSA.080.007 Tidzosereizve, Mwari wehondo; Penyesai chiso chenyu, isu
80:8b.PSA.080.008 Makandotora muzambiringa paIjipiti; Makadzinga vahedheni, mukausima.
80:9b.PSA.080.009 Makaugadzirira, Ukabata kwazvo, ukazadza nyika.
80:10b.PSA.080.010 Makomo akafukidzwa nomumvuri wawo, Nemisidhari yaMwari namatavi awo.
80:11b.PSA.080.011 Wakatandisa matavi awo kusvikira pagungwa, Namashizha awo kusvikira kuRwizi.
80:12b.PSA.080.012 Makaputsireiko mhanda dzawo, Kuti vose vanopfuura nenzira vautanhe?
80:13b.PSA.080.013 Nguruve yomudondo inouparadza, Mhuka dzesango dzinoudya.
80:14b.PSA.080.014 Dodzokai henyu, Mwari wehondo, Tarirai muri kudenga, muone, muve nehanya nomuzambiringa uyu.
80:15b.PSA.080.015 Muchengete chakasimwa noruoko rwenyu rworudyi, Nomwanakomana, wamakazvirerera.
80:16b.PSA.080.016 Wapiswa nomoto, watemwa; Vanopera nokutuka kwechiso chenyu.
80:17b.PSA.080.017 Ruoko rwenyu ngaruve pamusoro pomunhu woruoko rwenyu rworudyi, Pamusoro poMwanakomana womunhu, wamakazvirerera.
80:18b.PSA.080.018 Ipapo hatingazobvi kwamuri; Tiraramisei isu, tigodana zita renyu.
80:19b.PSA.080.019 Tidzosereizve, Jehovha Mwari wehondo; Penyesai chiso chenyu, isu tiponeswe.
81
81:1b.PSA.081.001 Imbirai Mwari kwazvo, iye simba redu; Pururudzai kuna Mwari waJakobho.
81:2b.PSA.081.002 Vambai rwiyo, muridze ngoma, Nembira dzinonakidza nomutengeranwa.
81:3b.PSA.081.003 Ridzai hwamanda pakugara kwomwedzi, Napakuchena kwomwedzi, pamutambo wedu wakatarwa.
81:4b.PSA.081.004 Nokuti ndizvo zvakatemerwa Zvakarairwa naMwari waJakobho.
81:5b.PSA.081.005 Wakazvitema muna Josefa kuti chive chipupuriro, Panguva yaakandorwa nenyika yeIj ipiti; Pandakanzwa rurimi rwandakanga ndisingazivi.
81:6b.PSA.081.006 Ndakabvisa mutoro pafudzi rake; Maoko ake akaregedza dengu.
81:7b.PSA.081.007 Iwe wakadana pakutambudzika, ndikakurwira; Ndakakupindura ndiri panovanda kutinhira; Ndakakuidza pamvura zhinji yeMeribha.
81:8b.PSA.081.008 Inzwai vanhu vangu, ndikupupurirei; Haiwa Isiraeri, dai waida hako kunditeerera!
81:9b.PSA.081.009 Ngakurege kuvapo pakati penyu mwari wokumwe; Musanamata kunomumwe mwari wavatorwa.
81:10b.PSA.081.010 Ndini Jehovha Mwari wako, Akakubudisa panyika yeIjipiti; Shamisa muromo wako kwazvo, ndigouzadza.
81:11b.PSA.081.011 Asi vanhu vangu havana kuteerera inzwi rangu; Isiraeri wakandiramba chose.
81:12b.PSA.081.012 Saka ndakavaregera paukukutu hwemoyo yavo, Kuti vafambe namano avo.
81:13b.PSA.081.013 Haiwa, dai vanhu vangu vainditeerera havo, Dai Isiraeri aifamba nenzira dzangu!
81:14b.PSA.081.014 Ndingadai ndakakurumidza kukunda vavengi vavo, Nokurova vadzivisi vavo noruoko rwangu.
81:15b.PSA.081.015 Vanovenga Jehovha vaizviisa pasi pake; Asi nguva yavo yaivapo nokusingaperi.
81:16b.PSA.081.016 Angadai aivadyisawo zviyo zvakaisvonaka; Ndaikugutsa nohuchi hunobva padombo.
82
82:1b.PSA.082.001 Mwari anomira paungano yaMwari; Anotonga pakati pavamwari.
82:2b.PSA.082.002 Muchatonga zvisina kururama kusvikira rinhiko, Muchisanangura vanhu vakaipa?
82:3b.PSA.082.003 Tongerai mhaka dzavarombo nenherera; Ruramisirai vanotambudzika navanoshaiwa chose.
82:4b.PSA.082.004 Sunungurai varombo navashaiwi Varwirei paruoko rwowakaipa.
82:5b.PSA.082.005 Havazivi, havanzwisisi; Vanofamba-famba murima; Nheyo dzose dzapasi dzinozununguka.
82:6b.PSA.082.006 Ndakati, Muri vamwari, Mose muri vanakomana voWokumusorosoro.
82:7b.PSA.082.007 Kunyange zvakadaro muchafa savanhu, Muchafa somumwe wamachinda.
82:8b.PSA.082.008 Simukai Mwari, mutongere pasi; Nokuti ndudzi dzose dzichava nhaka yenyu.
83
83:1b.PSA.083.001 Haiwa Jehovha, regai kuramba munyerere; Regai kuramba musingatauri, musanyarara Mwari.
83:2b.PSA.083.002 Nokuti tarirai, vavengi venyu vanoita bope; Vanokuvengai vakasimudza misoro yavo.
83:3b.PSA.083.003 Vanofunga mano kuti vanyengere vanhu venyu, Vanorangana pamusoro pavakavanzwa nemi.
83:4b.PSA.083.004 Vakati, Uyai, tivaparadze, varege kuzova rudzi; Kuti zita raIsiraeri rirege kuzorangarirwa.
83:5b.PSA.083.005 Nokuti vakarangana nomoyo mumwe; Vanoita sungano kuzorwa nemi.
83:6b.PSA.083.006 Matende aEdhomu navaIshimaeri, Moabhu navaHagari;
83:7b.PSA.083.007 Gebhari, naAmoni, naAmareki; Firisitia pamwechete navagere Tire;
83:8b.PSA.083.008 Asiriawo wakasangana navo; Vakabatsira vana vaRoti.
83:9b.PSA.083.009 Muvaitire sezvamakaitira Midhiani; NaSisera, naJabhini, paRwizi Kishoni;
83:10b.PSA.083.010 Ivo vakaparadzwa paEndori; Vakava mupfudze wapasi.
83:11b.PSA.083.011 Itai vakuru vavo saOrebhi naZeebhi; Zvirokwazvo machinda avo ose saZebha naZarimuna;
83:12b.PSA.083.012 Ivo vakati, Ngatizvitorere Ugaro hwaMwari huve hwedu.
83:13b.PSA.083.013 Mwari wangu, muvaite seguruva rinondeyeswa nemhepo; Samakoto anodzingwa nemhepo.
83:14b.PSA.083.014 Somoto unopisa dondo, Somurazvo womoto unopisa makomo;
83:15b.PSA.083.015 Muvateverere saizvozvo nedutu renyu remhepo, Muvavhunduse nechamupupuri chenyu.
83:16b.PSA.083.016 Fukidzai zviso zvavo nokunyadziswa; Kuti vatsvake zita renyu, Jehovha.
83:17b.PSA.083.017 Ngavanyadziswe, vavhunduswe nokusingaperi; Zvirokwazvo, ngavanyadziswe vafe;
83:18b.PSA.083.018 Vazive kuti imi moga, imi munezita rinonzi Jehovha, Ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwapasi pose.
84
84:1b.PSA.084.001 Ugaro hwenyu hunodikanwa sei, Imi Jehovha wehondo!
84:2b.PSA.084.002 Mweya wangu unoshuva, zvirokwazvo unopanga vazhe dzaJehovha; moyo wangu nenyama yangu zvinodana kuna Mwari mupenyu.
84:3b.PSA.084.003 Zvirokwazvo, shiri yakazviwanira imba, Nyenganyenga yakazviwanira dendere, painoisa vana vayo, Ipo paaritari dzenyu, Jehovha wehondo, Mambo wangu, naMwari wangu.
84:4b.PSA.084.004 Vakaropafadzwa vanogara mumba menyu; Vachagara vachikurumbidzai.
84:5b.PSA.084.005 Akaropafadzwa munhu ane simba rake mamuri; Anemigwagwa inoenda Ziyoni mumoyo make.
84:6b.PSA.084.006 Kana vachipfuura nomumupata wakaoma, vanouita nzvimbo inamatsime; Zvirokwazvo, mvura yomunhuruka inoufukidza nemikomborero.
84:7b.PSA.084.007 Vanowedzera simba pasimba ravo, Mumwe nomumwe wavo anosvika pamberi paMwari paZiyoni.
84:8b.PSA.084.008 Haiwa, Jehovha wehondo, inzwa munyengetero wangu; teererai nenzeve, Mwari waJakobho.
84:9b.PSA.084.009 Tarirai, Mwari, nhovo yedu, Muone chiso chomuzodzwa wenyu.
84:10b.PSA.084.010 Nokuti zuva rimwe pavazhe dzenyu rinokunda mamwe ane chiuru pakunaka. Ndinoti zviri nani kuti ndive murindi womukova mumba maMwari wangu, Pakuti ndigare pamatende avane zvakaipa.
84:11b.PSA.084.011 Nokuti Jehovha Mwari izuva nenhovo; Jehovha achapa nyasha nokukudzwa; Hapana chinhu chakanaka chaanganyima vanofamba nokururama.
84:12b.PSA.084.012 Jehovha wehondo, Akaropafadzwa munhu anovimba nemi.
85
85:1b.PSA.085.001 Jehovha, makafarira nyika yenyu; Makadzosa Jakobho pakutapwa.
85:2b.PSA.085.002 Makakanganwira kutadza kwavanhu venyu, Makafukidza zvivi zvavo zvose.
85:3b.PSA.085.003 Makabvisa kutsamwa kwenyu kwose; Makazvidzora pahasha dzenyu dzakanyanya.
85:4b.PSA.085.004 Tidzosei, Mwari muponesi wedu, Gumisai hasha dzenyu kwatiri.
85:5b.PSA.085.005 Ko mucharamba makatitsamwira nokusingaperi? Muchasvitsa kutsamwa kwenyu kumarudzi namarudzi here?
85:6b.PSA.085.006 Imi hamungatiraramisizve here, Kuti vanhu venyu vafare nemi?
85:7b.PSA.085.007 Tiratidzei ngoni dzenyu, Jehovha, Mutipe ruponeso rwenyu.
85:8b.PSA.085.008 Ndichanzwa zvichataura Mwari Jehovha; Nokuti achataura rugare kuvanhu vake nokuvatsvene vake; Asi ngavarege kudzokerazve kuupenzi.
85:9b.PSA.085.009 Zvirokwazvo kuponesa kwake kuri pedo navanomutya; Kuti kubwinya kugare munyika yedu.
85:10b.PSA.085.010 Ngoni nezvokwadi zvakasangana; Kururama norugare zvakatsvodana.
85:11b.PSA.085.011 Zvokwadi zvinomera pasi; Kururama kwakatarira pasi kuri kudenga.
85:12b.PSA.085.012 Zvirokwazvo, Jehovha uchapa zvinhu zvakanaka; Nyika yedu ichabereka zvibereko zvayo.
85:13b.PSA.085.013 Kururama kuchamutungamirira; Kuchagadzirira tsoka dzake nzira.
86
86:1b.PSA.086.001 Rerekai nzeve dzenyu, Jehovha, ndipindurei; Nokuti ndiri murombo nomushaiwi.
86:2b.PSA.086.002 Chengetai mweya wangu; nokuti ndiri mudikanwi wenyu; Haiwa Mwari wangu, ponesai muranda wenyu anovimba nemi.
86:3b.PSA.086.003 Ndinzwirei ngoni, Ishe; Nokuti ndinodana kwamuri zuva rose.
86:4b.PSA.086.004 Fadzai mweya womuranda wenyu; Nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri Ishe wangu.
86:5b.PSA.086.005 Nokuti imi, Ishe makanaka, munofarira kukanganwira, Mune ngoni zhinji kuna vose vanodana kwamuri.
86:6b.PSA.086.006 Rerekerai nzeve yenyu, Jehovha kumunyengetero wangu; Teererai inzwi rokukumbira kwangu.
86:7b.PSA.086.007 Pazuva rokutambudzika kwangu ndichadana kwamuri, Nokuti muchandipindura.
86:8b.PSA.086.008 Hapana akafanana nemi pakati pavamwari, Ishe, Uye hapana mabasa akafanana namabasa enyu.
86:9b.PSA.086.009 Ndudzi dzose dzamakaita dzichauya kuzonamata pamberi penyu, Ishe, Dzicharumbidza zita renyu.
86:10b.PSA.086.010 Nokuti imi muri mukuru, munoita Ndimi Mwari woga.
86:11b.PSA.086.011 Ndidzidzisei nzira yenyu, Jehovha, ndichafamba muzvokwadi yenyu, Batanidzai moyo wangu kuti nditye zita renyu.
86:12b.PSA.086.012 Ndichakurumbidzai, Ishe Mwari wangu, nomoyo wangu wose, Ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi.
86:13b.PSA.086.013 Nokuti ngoni dzenyu ihuru kwandiri; Makarwira mweya wangu pagomba rakadzika-dzika.
86:14b.PSA.086.014 Mwari, vanozvikudza vakandimukira, Ungano yavanhu, vanomanikidza, vakatsvaka mweya wangu, Havana kukuisai pamberi pavo.
86:15b.PSA.086.015 Asi imi, Ishe muri Mwari une tsitsi nenyasha, Hamukurumidzi kutsamwa, mune ngoni zhinji nezvokwadi.
86:16b.PSA.086.016 Ringirai kwandiri, mundinzwire ngoni; Ipai muranda wenyu simba renyu, Muponese mwanakomana womurandakadzi wenyu.
86:17b.PSA.086.017 Ndiratidzei chiratidzo mundiitire zvakanaka; Kuti vanondivenga vazvione, vanyadziswe; Nokuti imi Jehovha, makandibatsira nokundinyaradza.
87
87:1b.PSA.087.001 Nheyo dzake dziri pamakomo matsvene.
87:2b.PSA.087.002 Jehovha anoda masuo eZiyoni Kupfuura pose panogara Jakobho.
87:3b.PSA.087.003 Zvinhu zvakanakisa zvinotaurwa pamusoro pako, Iwe guta raMwari.
87:4b.PSA.087.004 Rahabhi neBhabhironi ndichati vari pakati pavanondiziva; Tarirai, Firisitia, neTire, neItiopia; Munhu uyu akazvarirwako.
87:5b.PSA.087.005 Zvirokwazvo, pamusoro peZiyoni vachati, Uyu nouyo vakazvarirwamo; Naiye Wokumusorosoro amene acharisimbisa.
87:6b.PSA.087.006 Jehovha achaverenga, pakunyora kwake ndudzi, achiti, Munhu uyu akazvarirwako.
87:7b.PSA.087.007 Vanoimba navanotamba, vachati, Matsime angu ose ari mauri.
88
88:1b.PSA.088.001 Jehovha, Mwari muponesi wangu, Ndakachema masikati nousiku pamberi penyu;
88:2b.PSA.088.002 Munyengetero wangu ngaupinde pamberi penyu; Rerekerai nzeve yenyu munzwe kuchema kwangu;
88:3b.PSA.088.003 Nokuti mweya wangu uzere namatambudziko, Upenyu hwangu hwoswedera kuSheori.
88:4b.PSA.088.004 Ndinoverengwa pamwechete navanoburukira kugomba; Ndakafanana nomunhu anoshaiwa mubatsiri;
88:5b.PSA.088.005 Ndakarashirwa pakati pavakafa, Savakaurawa vavete mubwiro, Vamusati mucharangarira; Vakagurwa paruoko rwenyu.
88:6b.PSA.088.006 Makandiisa mugomba rakadzika-dzika, Panzvimbo dzine rima, makadzika kwazvo.
88:7b.PSA.088.007 Hasha dzenyu dzinorema kwazvo pamusoro pangu, Makanditambudza namafungu enyu ose.
88:8b.PSA.088.008 Makaisa vazikani vangu kure neni; Makandiita chinhu chinonyangadza kwavari; Ndakapfigirwa, handigoni kubuda.
88:9b.PSA.088.009 Ziso rangu ropera nemhaka yokutambudzika; Ndakadana kwamuri, Jehovha, zuva rimwe nerimwe, Ndakatambanudzira maoko angu kwamuri.
88:10b.PSA.088.010 Mungaitira vakafa zvinoshamisa here? Ko vakaparara vangamuka vakakurumbidzai here?
88:11b.PSA.088.011 Hunyoro hwenyu hungaparidzwa mubwiro here? Kana kutendeka kwenyu mukuparadza here?
88:12b.PSA.088.012 Zvishamiso zvenyu zvingazikanwa murima here? Nokururama kwenyu panyika yokukanganwa here?
88:13b.PSA.088.013 Asi ndakachema kwamuri, Jehovha, Munyengetero wangu uchasvika pamberi penyu mangwanani.
88:14b.PSA.088.014 Jehovha, munorashireiko mweya wangu? Munovanzireiko chiso chenyu kwandiri?
88:15b.PSA.088.015 Kubva pauduku hwangu ndakanga ndichitambudzwa ndichirwiso-fa; Kana ndichityiswa nemi ndinoshaiwa mano.
88:16b.PSA.088.016 Kutsamwa kwenyu kukuru kwakapfuura napamusoro pangu; Kutyisa kwenyu kwakandiparadza.
88:17b.PSA.088.017 Zvakandikomberedza zuva rose semvura; Zvakandipoteredza pamwechete.
88:18b.PSA.088.018 Iye, anondida, neshamwari yangu, makavaisa kure neni, Nomuzikani wangu ari murima.
89
89:1b.PSA.089.001 Ndichaimba ndichireva ngoni dzaJehovha nokusingaperi; Ndichaparidza nomuromo wangu kutendeka kwenyu kumarudzi namarudzi.
89:2b.PSA.089.002 Nokuti ndakati, Ngoni dzichavakwa nokusingaperi, Muchasimbisa kutendeka kwenyu mukudenga-denga mumene.
89:3b.PSA.089.003 Ndakaita sungano nomusanangurwa wangu, Ndakapika kumuranda wangu Dhavhidhi, ndichiti,
89:4b.PSA.089.004 Ndichamisa vana vako nokusingaperi, Nokuvaka chigaro chako choushe kusvikira kumarudzi namarudzi.
89:5b.PSA.089.005 Kudenga-denga kucharumbidza zvishamiso zvenyu, Jehovha; Nokutendeka kwenyuwo paungano yavatsvene.
89:6b.PSA.089.006 Nokuti ndianiko mudenga rose angaenzaniswa naJehovha? Ndianiko pakati pavanakomana vaMwari akafanana naJehovha?
89:7b.PSA.089.007 Iye Mwari anotyiwa zvikuru paungano yavatsvene, Anofanira kutyiwa kupfuura vose vanomupoteredza.
89:8b.PSA.089.008 Haiwa, Jehovha, Mwari wehondo, Ndianiko ane simba, akafanana nemi, Jehovha? Kutendeka kwenyu kunokukomberedzai.
89:9b.PSA.089.009 Ndimi munobata kuzvikudza kwegungwa; Kana mafungu aro achisimuka, ndimi munoanyaradza.
89:10b.PSA.089.010 Makaputsanya Rahabhi, somunhu akaurawa; Makaparadzira vavengi venyu noruoko rwenyu rune simba.
89:11b.PSA.089.011 Kudenga-denga ndokwenyu, napasi ndopenyuwo; Nyika nezvose zvayo, ndimi makazviteya.
89:12b.PSA.089.012 Kumusoro nenyasi, ndimi makazvisika; Tabhori neHerimoni anofara nezita renyu.
89:13b.PSA.089.013 Munoruoko rune simba; Chanza chenyu chine simba, ruoko rwenyu rworudyi rwakasimudzwa.
89:14b.PSA.089.014 Kururama nokururamisa ndidzo nheyo dzechigaro chenyu choushe; Ngoni nezvokwadi zvinokutungamirirai.
89:15b.PSA.089.015 Vakaropafadzwa vanhu vanoziva inzwi romufaro; Vanofamba, Jehovha, muchiedza chechiso chenyu.
89:16b.PSA.089.016 Vanofara muzita renyu zuva rose; Vanosimudzwa nokururama kwenyu.
89:17b.PSA.089.017 Nokuti imi muri kubwinya kwesimba ravo; Runyanga rwedu ruchasimudzwa netsitsi dzenyu.
89:18b.PSA.089.018 Nokuti nhovo yedu ndeyaJehovha; Namambo wedu ndowoMutsvene waIsiraeri.
89:19b.PSA.089.019 Panguva iyo makataura navatsvene venyu pakuzviratidza kwenyu, Mukati, Ndakabatsira mhare; Ndakasimudza mumwe wakasanangurwa pakati pavanhu.
89:20b.PSA.089.020 Ndakawana Dhavhidhi muranda wangu; Ndakamuzodza namafuta angu matsvene;
89:21b.PSA.089.021 Chanza changu chichasimbiswa naye; Ruoko rwanguvo ruchamusimbisa.
89:22b.PSA.089.022 Muvengi haangamumanikidzi; Mwanakomana wezvakaipa haangamutambudzi.
89:23b.PSA.089.023 Ndichaparadza vadzivisi vake pamberi pake, Ndicharova vanomuvenga.
89:24b.PSA.089.024 Asi kutendeka kwangu nengoni dzangu zvichava naye; Runyanga rwake ruchasimudzwa nezita rangu.
89:25b.PSA.089.025 Ndichaisawo ruoko rwake pamusoro pegungwa, Noruoko rwake rworudyi pamusoro penzizi.
89:26b.PSA.089.026 Iye achadana kwandiri, achiti, Ndimi baba vangu, Mwari wangu, nedombo rokuponeswa kwangu.
89:27b.PSA.089.027 Ndichamuitawo dangwe rangu, Mukuru wamadzimambo apasi.
89:28b.PSA.089.028 Ndichamuchengetera ngoni dzangu nokusingaperi, Sungano yangu icharamba yakasimba kwaari.
89:29b.PSA.089.029 Vana vake ndichavagarisawo nokusingaperi, Chigaro chake choushe chichafanana namazuva okudenga.
89:30b.PSA.089.030 Kana vana vake vakasiya murayiro wangu, Vakasafamba nezvandakatonga;
89:31b.PSA.089.031 Kana vakazvidza zvandakatema, Vakasachengeta mirau yangu;
89:32b.PSA.089.032 Ipapo ndichavaranga neshamhu pamusoro pokudarika kwavo, Uye nokurova pamusoro pokuipa kwavo.
89:33b.PSA.089.033 Asi handingamutoreri unyoro hwangu chose, Kana kutendera kutendeka kwangu kuitiswa nhema.
89:34b.PSA.089.034 Sungano yangu handingaizvidzi, Kana kushandura chinhu chakabuda pamuromo wangu.
89:35b.PSA.089.035 Ndakapika kamwe chete neutsvene hwangu; Handingarevi nhema kuna Dhavhidhi;
89:36b.PSA.089.036 Vana vake vachavapo nokusingaperi, Chigaro chake choushe chichafanana nezuva pamberi pangu.
89:37b.PSA.089.037 Chichasimbiswa nokusingaperi somwedzi, Sechapupu chakatendeka chiri kudenga.
89:38b.PSA.089.038 Asi imi makarasha nokuramba, Makatsamwira muzodzwa wenyu.
89:39b.PSA.089.039 Makasema sungano yomuranda wenyu; Makazvidza korona yake mukaikandira pasi.
89:40b.PSA.089.040 Makaputsa madziro ake ose; Makaita nhare dzake matongo.
89:41b.PSA.089.041 Vose vanopfuura nenzira vanopamba nhumbi dzake; Wava chinhu chinosekwa navaanogara navo.
89:42b.PSA.089.042 Makasimudza ruoko rworudyi rwavadzivisi vake; Makafadza vavengi vake vose.
89:43b.PSA.089.043 Zvirokwazvo, munodzosa munondo wake unopinza, Hamuna kumusimbisa pakurwa.
89:44b.PSA.089.044 Makagumisa kubwinya kwake, Makawisira pasi chigaro chake choushe.
89:45b.PSA.089.045 Makatapudza mazuva ohujaya hwake; Makamufukidza nokunyara.
89:46b.PSA.089.046 Jehovha, muchazvivanza nokusingaperi kusvikira rinhiko? Kutsamwa kwenyu kuchapisa somoto kusvikira rinhiko?
89:47b.PSA.089.047 Haiwa, rangarirai kuti nguva yangu ipfupi kwazvo; Kuti makasikira vana vavanhu vose zvinhu zvisina maturo kwazvo!
89:48b.PSA.089.048 Ndoupiko munhu angararama akasaona kufa, Angarwira mweya wake pasimba reSheori here?
89:49b.PSA.089.049 Ishe, unyoro hwenyu hwakare huripiko, Hwamakapika kuna Dhavhidhi nokutendeka kwenyu here?
89:50b.PSA.089.050 Rangarirai, Ishe, kushorwa kwavaranda venyu; Kuti ndinotakura muchipfuva changu kushora kwavanhu vazhinji;
89:51b.PSA.089.051 Uko kwakashora vavengi venyu nako, Jehovha, Kwavakashora nako makwara omuzodzwa wenyu.
89:52b.PSA.089.052 Jehovha ngaavongwe nokusingaperi. Ameni, zvirokwazvo, Ameni.
90
90:1b.PSA.090.001 Ishe, makanga muri ugaro hwedu Pamarudzi namarudzi.
90:2b.PSA.090.002 Makomo asati azvarwa, Musati matongosika nyika nevhu, Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi imi muri Mwari.
90:3b.PSA.090.003 Munodzosera munhu kuguruva; Muchiti, Dzokai vana vavanhu.
90:4b.PSA.090.004 Nokuti kwamuri makore ane chiuru Akangofanana nezuva razuro kana rapfuura, Senguva yokurinda yousiku.
90:5b.PSA.090.005 Munovakukura semvura zhinji; vava sehope; Mangwanani vakaita souswa hunomera.
90:6b.PSA.090.006 Mangwanani hunotumbuka, hunomera; Madekwana hunodzurwa, ndokusvava.
90:7b.PSA.090.007 Nokuti tinopedzwa nokutsamwa kwenyu, Tinotambudzika nehasha dzenyu.
90:8b.PSA.090.008 Makaisa zvakaipa zvedu pamberi penyu, Zvivi zvedu zvakavanzika pachiedza chechiso chenyu.
90:9b.PSA.090.009 Nokuti mazuva edu ose anopfuura makatsamwa; Makore edu anopera sorungano.
90:10b.PSA.090.010 Mazuva amakore edu anosvika makore makumi manomwe, Kana tine simba makore makumi masere; Asi kunyange achikudzwa ndiko kutambudzika nenhamo bedzi. Nokuti gare-gare aenda, nesu tabhururuka taenda.
90:11b.PSA.090.011 Ndianiko anoziva simba rokutsamwa kwenyu, Nehasha dzenyu, kuti mutyiwe zvakafanira here?
90:12b.PSA.090.012 Tidzidzisei kunatsoverenga mazuva edu, Kuti tizviwanire moyo wakachenjera.
90:13b.PSA.090.013 Dzokai Jehovha; kusvikira rinhiko? Muzvidembe pamusoro pavaranda venyu.
90:14b.PSA.090.014 Tigutsei mangwanani nengoni dzenyu; Kuti tifarise, tive nomufaro mazuva edu ose.
90:15b.PSA.090.015 Tifadzei zvinoenzana namazuva amakatitambudza, Namakore atakaona zvakaipa.
90:16b.PSA.090.016 Zvamakaita ngazvionekwe navaranda venyu, Nokubwinya kwenyu pamusoro pavana vavo.
90:17b.PSA.090.017 Kunaka kwaJehovha Mwari wedu ngakuve pamusoro pedu; Mutisimbisire basa ramaoko edu; Zvirokwazvo, basa ramaoko edu murisimbise.
91
91:1b.PSA.091.001 Uyo agere panzvimbo yokuvanda yoWokumusorosoro Acharambira pamumvuri wowaMasimbaose.
91:2b.PSA.091.002 Ndichati pamusoro paJehovha, Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Iye Mwari wangu, wandinovimba naye.
91:3b.PSA.091.003 Nokuti iye achakurwira parugombe rwomuteyi weshiri, Napahosha inouraya zvikuru.
91:4b.PSA.091.004 Iye achakufukidza nemhinenga yake, Uchatizira pasi pamapapiro ake; Zvokwadi yake inhovo huru neduku.
91:5b.PSA.091.005 Haungatyi chinhu chinovhundusa usiku, Kana museve unofurwa masikati;
91:6b.PSA.091.006 Kana hosha inofamba murima, Kana kuparadza kunouraya masikati.
91:7b.PSA.091.007 Kurutivi rwako kuchawa vane gumi ramazana, Nezana ramazana paruoko rwako rworudyi; Asi hazvingaswederi kwauri.
91:8b.PSA.091.008 uchangozvitarira hako nameso ako Ukaona mubayiro wavakaipa.
91:9b.PSA.091.009 Nokuti imi Jehovha, muri utiziro hwangu! Iwe wakaita Wokumusorosoro ugaro hwako.
91:10b.PSA.091.010 Hapana chakaipa chingakuwira, Uye hapana hosha ichaswedera patende rako.
91:11b.PSA.091.011 Nokuti iye acharaira vatumwa vake pamusoro pako, Kuti vakuchengete panzira dzako dzose.
91:12b.PSA.091.012 Vachakusimudza pamaoko avo, Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabwe.
91:13b.PSA.091.013 Uchatsika pamusoro peshumba nechiva; Mwana weshumba nenyoka uchazvitsikirira pasi.
91:14b.PSA.091.014 Zvaakandida, ndichamurwira; Ndichamuisa pakakwirira, nokuti wakaziva zita rangu.
91:15b.PSA.091.015 Iye achadana kwandiri, ndichamupindura; Ini ndichava naye pakutambudzika; Ndichamurwira, nokumukudza.
91:16b.PSA.091.016 Ndichamugutsa noupenyu hurefu, Nokumuratidza ruponeso rwangu.
92
92:1b.PSA.092.001 Zvakanaka kuvonga Jehovha, Nokuimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusorosoro;
92:2b.PSA.092.002 Kuparidza unyoro hwenyu mangwanani, Nokutendeka kwenyu usiku hwose,
92:3b.PSA.092.003 Nechinoridzwa chine ungiso gumi, nomutengeranwa; Nenzwi rakanaka pambira.
92:4b.PSA.092.004 Nokuti imi, Jehovha, makandifadza nezvamakaita; Ndichafara kwazvo namabasa amaoko enyu.
92:5b.PSA.092.005 Mabasa enyu akakura seiko, Jehovha! Mifungo yenyu yakadzika kwazvo.
92:6b.PSA.092.006 Asina njere haazvizivi; Benzi harinzwisisi izvozvi,
92:7b.PSA.092.007 Kana vakaipa vachimera souswa, Uye kana vaiti vose vezvakaipa vachikura; Zvinoitwa kuti vaparadzwe nokusingaperi.
92:8b.PSA.092.008 Asi imwi Jehovha muri kumusoro nokusingaperi.
92:9b.PSA.092.009 Nokuti tarirai, Jehovha, vavengi venyu, Nokuti tarirai, Jehovha, vavengi venyu vachaparara; Vaiti vose vezvakaipa vachaparadzirwa.
92:10b.PSA.092.010 Asi runyanga rwangu makarusimudza sorunyanga rwenyati; Ndakazodzwa namafuta matsva.
92:11b.PSA.092.011 Ziso rangu rakaona zvakaitirwa vavengi vangu, Nzeve dzangu dzakanzwa zvakaitirwa vaiti vezvakaipa, vakandimukira.
92:12b.PSA.092.012 Akarurama achamera somuchindwe; Achakura somusidhari paRebhanoni.
92:13b.PSA.092.013 Vakasimwa mumba maJehovha Vachakura muvazhe dzaMwari wedu.
92:14b.PSA.092.014 Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo; Vachava vanyoro navatsva;
92:15b.PSA.092.015 Kuti vaparidze kuti Jehovha akarurama; Ndiye dombo rangu, hapana chinhu chisina kururama maari.
93
93:1b.PSA.093.001 Jehovha anobata ushe; akafuka umambo; Jehovha akafuka simba, akazvisunga chiuno naro; Nyikawo yakateyiwa, haingazununguswi.
93:2b.PSA.093.002 Chigaro chenyu choushe chakasimbiswa kubva kare; Imi muripo kubva pakusingaperi.
93:3b.PSA.093.003 Jehovha, Nzizi dzakanzwisa manzwi adzo; Nzizi dzinonzwisa kutinhira kwadzo.
93:4b.PSA.093.004 Jehovha anokunda manzwi emvura zhinji, Namafungu ane simba egungwa, Jehovha, ari kumusoro, ndiye ane simba.
93:5b.PSA.093.005 Zvipupuriro zvenyu ndezvamazvokwadi kwazvo; Utsvene hunofanira imba yenyu, Jehovha, nokusingaperi.
94
94:1b.PSA.094.001 Jehovha, Mwari mutsivi, Imi Mwari mutsivi, penyai.
94:2b.PSA.094.002 Zvisimudzei, imi Mutongi wenyika; Ipai vanozvikudza sezvavakafanira.
94:3b.PSA.094.003 Jehovha, vakaipa vachafara kwazvo kusvikira rinhiko, Vakaipa vachafara kwazvo kusvikira rinhi?
94:4b.PSA.094.004 Vanongotaura havo, vanotaura vachizvikudza, Vaiti vose vezvakaipa vanoita manyawi.
94:5b.PSA.094.005 Vanopwanya vanhu venyu, Jehovha, Vachitambudza nhaka yenyu.
94:6b.PSA.094.006 Vanouraya chirikadzi nomweni, Nenherera vanodziuraya.
94:7b.PSA.094.007 Vachiti, Jehovha haazvioni, Mwari waJakobho haazvirangariri.
94:8b.PSA.094.008 Rangarirai imi vasina njere pakati pavanhu; Nemi mapenzi, muchava vakachenjera rinhiko?
94:9b.PSA.094.009 Iye, akasima nzeve, haanganzwi here? Iye, akaumba ziso, haangaoni here?
94:10b.PSA.094.010 Iye,anoranga vahedheni, haangarairi here? Iye, anodzidzisa vanhu zivo?
94:11b.PSA.094.011 Jehovha anoziva kufunga kwavanhu,) Kuti hazvina maturo.
94:12b.PSA.094.012 Akaropafadzwa munhu, anorangwa nemi, Jehovha, lye wamunodzidzisa pamurayiro wenyu;
94:13b.PSA.094.013 Kuti mumuzorodzei pamazuva okutambudzika, Kusvikira vakaipa vachererwa gomba.
94:14b.PSA.094.014 Nokuti Jehovha haangarashi vanhu vake, Uye haangasiyi nhaka yake.
94:15b.PSA.094.015 Nokuti kutonga kuchadzokera kukururama; Vose vane moyo yakarurama vachakutevera.
94:16b.PSA.094.016 Ndianiko achandirwira pavaiti vezvakaipa? Ndianiko achandibatsira panavanoita zvakaipa?
94:17b.PSA.094.017 Dai Jehovha aisava mubatsiri wangu, Mweya wangu ungadai wakakurumidza kugara pakati mwii.
94:18b.PSA.094.018 Panguva yandakati, Rutsoka rwangu rwotedzemuka, Ngoni dzenyu,Jehovha, dzakanditsigira.
94:19b.PSA.094.019 Mundangariro dzangu zhinji mukati mangu Kunyaradza kwenyu kunofadza mweya wangu.
94:20b.PSA.094.020 Chigaro chezvakaipa chingashamwaridzana nemi here, Icho chinofunga kuita zvakashata nemitemo yacho?
94:21b.PSA.094.021 Vanounganira upenyu hwowakarurama, Vachipa mhosva ropa risina mhosva.
94:22b.PSA.094.022 Asi Jehovha ndiye nhare yangu yakasimba; Mwari wangu idombo routiziro hwangu.
94:23b.PSA.094.023 Achadzosera pamusoro pavo kutadza kwavo, Achavaparadza pakati pokuita kwavo; Jehovha Mwari wedu achavaparadza.
95
95:1b.PSA.095.001 Uyai, tiimbire Jehovha; Ngatipururudzei dombo rokuponeswa kwedu.
95:2b.PSA.095.002 Ngatisvike pamberi pake tichivonga, Ngatimupururudzirei namapisarema,
95:3b.PSA.095.003 Nokuti Jehovha ndiMwari mukuru, ,Mambo mukuru anokunda vamwari vose.
95:4b.PSA.095.004 Nzvimbo dzakadzika dzapasi dziri muruoko rwake; Misoro yamakomo ndeyakewo.
95:5b.PSA.095.005 Gungwa nderake, ndiye akariita; Maoko ake akaumba nyika yakaoma.
95:6b.PSA.095.006 Uyai, tinamate tikotamire pasi; Ngatipfugame pamberi paJehovha Muiti wedu.
95:7b.PSA.095.007 Nokuti ndiye Mwari wedu, Isu tiri vanhu vanofudzwa naye, namakwai oruoko rwake. Nhasi dai muchinzwa henyu inzwi rake!
95:8b.PSA.095.008 Regai kuomesa moyo yenyu sapaMeribha, Sapazuva reMasa murenje;
95:9b.PSA.095.009 Panguva yandakaidzwa namadzibaba enyu, Vakandiidza, vakaona zvandakaita.
95:10b.PSA.095.010 Ndakanza ndine shungu pamusoro porudzi urwo makore makumi mana, Ndikati, Ndivanhu vakarashika pamoyo yavo, Havana kuziva nzira dzangu;
95:11b.PSA.095.011 Saka ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati, Havangazopindi pazororo rangu.
96
96:1b.PSA.096.001 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva; Imbirai Jehovha, pasi pose.
96:2b.PSA.096.002 Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake; Paridzai kuponesa kwake zuva rimwe nerimwe.
96:3b.PSA.096.003 Dudzirai kubwinya kwake pakati pavahedheni, Mabasa ake, anoshamisa pakati pendudzi dzose.
96:4b.PSA.096.004 Nokuti Jehovha mukuru, anofanira kurumbidzwa kwazvo; Anofanira kutyiwa kupfuura vamwari vose.
96:5b.PSA.096.005 Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo hazvo; Asi Jehovha akaita kudenga-denga.
96:6b.PSA.096.006 Kukudzwa noumambo zviri pamberi pake; Simba nokunaka zviri panzvimbo yake tsvene.
96:7b.PSA.096.007 Ipai Jehovha, imi mhuri dzavanhu, Ipai Jehovha kukudzwa nesimba.
96:8b.PSA.096.008 Ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake; Uyai nechipiriso, mupinde muvazhe dzake.
96:9b.PSA.096.009 Namatai kuna Jehovha nenguva tsvene; Pasi pose panobvunda pamberi pake.
96:10b.PSA.096.010 Itiyi pakati pavahedheni, Jehovha ndiye anobata ushe; Nyikawo yakasimbiswa, kuti irege kuzununguswa; Iye achatonga vanhu zvakarurama.
96:11b.PSA.096.011 Kudenga-denga ngakufare, kwazvo; Gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mukati maro;
96:12b.PSA.096.012 Sango ngarive nomufaro, nezvose zviri mukati maro; Ipapo miti yose yedondo ichaimba nomufaro;
96:13b.PSA.096.013 Pamberi paJehovha, nokuti anouya; Nokuti anouya kuzotonga pasi; uchatonga nyika zvakarurama, Nendudzi nokutendeka kwake.
97
97:1b.PSA.097.001 Jehovha anobata ushe; nyika ngaifare kwazvo; Zviwi zvizhinji ngazvifare.
97:2b.PSA.097.002 Makore nerima zvinomukomberedza; Kururama nokururamisa ndidzo nheyo dzechigaro chake choushe.
97:3b.PSA.097.003 Moto unotungamira pamberi pake, Uchipisa vadzivisi vake pamativi ose.
97:4b.PSA.097.004 Mheni dzake dzakavheneka nyika yose; Pasi pakaona, ndokubvunda.
97:5b.PSA.097.005 Makomo akanyauka senamo pamberi paJehovha, Pamberi paShe wapasi pose.
97:6b.PSA.097.006 Kudenga-denga kunoparidza kururama kwake, Ndudzi dzose dzakaona kubwinya kwake.
97:7b.PSA.097.007 Vose, vanoshumira mifananidzo yakaveziwa, vanonyadziswa, Ivo vanozvirumbidza pamusoro pezvifananidzo; Namatai kwaari, imi vamwari vose
97:8b.PSA.097.008 Ziyoni rakanzwa ndokufara, Navakunda vaJudha vakafara kwazvo; Nokuda kwezvamakatonga, imi Jehovha.
97:9b.PSA.097.009 Nokuti imi Jehovha, muri kumusoro-soro kwapasi pose; Makakwirira kupfuura vamwari vose.
97:10b.PSA.097.010 Vengai zvakaipa, imi munoda Jehovha; Iye anochengeta mweya yavatsvene vake; Unovarwira paruoko rwawakaipa.
97:11b.PSA.097.011 Chiedza chinodzvarirwa wakarurama, Nomufaro vane moyo yakarurama.
97:12b.PSA.097.012 Farai munaJehovha, imi vakarurama; Vongai pakurangarira utsvene hwake.
98
98:1b.PSA.098.001 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva; Nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa; Chanza chake chorudyi, noruoko rwake rutsvene, zvakamukundisa.
98:2b.PSA.098.002 Jehovha akazivisa kuponesa kwake; Akaratidza pachena kururama kwake pamberi pavahedheni.
98:3b.PSA.098.003 Akarangarira ngoni dzake nokutendeka kwake kuimba yaIsiraeri; Migumo yose yapasi yakaona kuponesa kwaMwari wedu.
98:4b.PSA.098.004 Pururudzirai Jehovha, pasi pose; Danidzirai, muimbe nomufaro, imbai nziyo dzokurumbidza.
98:5b.PSA.098.005 Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza nembira; Nembira, uye nenzwi rokuimba.
98:6b.PSA.098.006 Nehwamanda, nenzwi romumanzi Pururudzai pamberi paMambo, Jehovha.
98:7b.PSA.098.007 Gungwa ngaritinhire nezvose zviri mukati maro; Nenyika, navanogaramo.
98:8b.PSA.098.008 Nzizi ngadziuchire; Namakomo ngaaimbe pamwechete nomufaro;
98:9b.PSA.098.009 Pamberi paJehovha, nokuti anouya kuzotonga pasi, Achatonga nyika zvakarurama, Navanhu nokururama.
99
99:1b.PSA.099.001 Jehovha anobata ushe; vanhu ngavabvunde; Iye agere pakati pamakerubhi; nyika ngaizununguswe.
99:2b.PSA.099.002 Jehovha mukuru paZiyoni; Ari kumusoro-soro kwavanhu vose.
99:3b.PSA.099.003 Ngavarumbidze zita renyu guru rinotyisa; Ndiye Mutsvene.
99:4b.PSA.099.004 Simba ramambo rinodawo kururamisa; Imi munosimbisa kururama, Munotonga muchiruramisa pakati paJakobho.
99:5b.PSA.099.005 Kudzai Jehovha Mwari wedu, Munamate pachitsiko chetsoka dzake; Ndiye Mutsvene.
99:6b.PSA.099.006 Mozisi naAroni pakati pavapirisiti vake, NaSamueri pakati pavanodana zita rake; Vakadana kuna Jehovha, iye akavapindura.
99:7b.PSA.099.007 Akataura navo ari mushongwe yegore; Vakachengeta zvipupuriro zvake nomutemo waakavapa.
99:8b.PSA.099.008 Makavapindura, Jehovha Mwari wedu; Maiva Mwari aivakanganwira, Kunyange makatsiva zvavaiita.
99:9b.PSA.099.009 Kudzai Jehovha Mwari wedu, Namatai pagomo rake dzvene; Nokuti Jehovha Mwari wedu ndiye Mutsvene.
100
100:1b.PSA.100.001 Pururudzai Jehovha, imi nyika dzose.
100:2b.PSA.100.002 Shumirai Jehovha nomufaro; Uyai pamberi pake muchiimba.
100:3b.PSA.100.003 Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari; Ndiye wakatiita, tiri vanhu vake; Tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye.
100:4b.PSA.100.004 Pindai pamasuo ake muchivonga, Napavazhe dzake muchirumbidza; Chimuvongai, murumbidze zita rake.
100:5b.PSA.100.005 Nokuti Jehovha akanaka; ngoni dzake dziripo nokusingaperi; Nokutendeka kwake kumarudzi namarudzi.
101
101:1b.PSA.101.001 Ndichaimba ndichireva ngoni nokururama; Ndimi Jehovha wandichaimbira nziyo dzokurumbidza.
101:2b.PSA.101.002 Ndichaita zvose nokugwara panzira yakarurama; Haiwa, muchauya kwandiri rinhiko? Ndichafamba mumba mangu nomoyo wakarurama.
101:3b.PSA.101.003 Handingavavariri chinhu chakaipa; Ndinovenga zvinoitwa navanotsauka; Hazvingandinamatiri.
101:4b.PSA.101.004 moyo wakatsauka ngaubve kwandiri; Handidi kuziva zvakaipa.
101:5b.PSA.101.005 Anoitira vokwake makuhwa, ndichamuparadza; Anotarira namanyawi, nounomoyo unozvikudza, handingavi nehanya naye.
101:6b.PSA.101.006 meso angu achatarira vakatendeka panyika, kuti vagare neni; Munhu anofamba nenzira yakarurama, ndiye angava mushumiri wangu.
101:7b.PSA.101.007 Anonyengera haangagari mumba mangu; Anoreva nhema haangarambiri pamberi pangu.
101:8b.PSA.101.008 Mangwanani ose ndichaparadza vakaipa vose venyika; Kuti ndipedze vose vanoita zvakaipa paguta raJehovha.
102
102:1b.PSA.102.001 Inzwai munyengetero wangu, Jehovha, Kuchema kwangu ngakusvikire kwamuri.
102:2b.PSA.102.002 Regai kundivanzira chiso chenyu pazuva rokutambudzika kwangu; Rerekerai nzeve yenyu kwandiri; Pazuva rokudana kwangu kurumidzai kundipindura.
102:3b.PSA.102.003 Nokuti mazuva angu anopera soutsi, Mapfupa angu anotsva sechitsa.
102:4b.PSA.102.004 moyo wangu warohwa souswa, waoma; Nokuti ndinokanganwa kudya zvokudya zvangu.
102:5b.PSA.102.005 Nokuda kwenzwi rokugomera kwangu Mapfupa angu anonamatira nyama yangu.
102:6b.PSA.102.006 Ndafanana nehukurwizi yomurenje; Ndava sezizi romumatongo.
102:7b.PSA.102.007 Handivati, ndafanana Neshiri iri yoga pamusoro pedenga reimba.
102:8b.PSA.102.008 Vavengi vangu vanondituka zuva rose; Avo vanondipengera vanonditukisa kwazvo.
102:9b.PSA.102.009 Nokuti ndakadya madota sezvokudya, Ndikavhenganisa zvokunwa zvangu nemisodzi.
102:10b.PSA.102.010 Nokuda kwehasha dzenyu nokutsamwa kwenyu; Nokuti makandisimudza mukandirasha.
102:11b.PSA.102.011 Mazuva angu akafanana nomumvuri wareba; Ndaoma souswa.
102:12b.PSA.102.012 Asi imi Jehovha, muchavapo nokusingaperi; Marudzi namarudzi achakurangarirai.
102:13b.PSA.102.013 Imi muchasimuka, mukanzwira Ziyoni ngoni; Nokuti nguva yavapo yokurinzwira tsitsi, zvirokwazvo, nguva, yakatarwa, yasvika.
102:14b.PSA.102.014 Nokuti varanda venyu vanofarira mabwe aro, Vanonzwira tsitsi guruva raro.
102:15b.PSA.102.015 Naizvozvo vahedheni vachatya zita raJehovha, Namadzimambo ose apasi kubwinya kwenyu;
102:16b.PSA.102.016 Jehovha zvaakavaka Ziyoni, Akaonekwa nokubwinya kwake;
102:17b.PSA.102.017 Akava nehanya nomunyengetero wavakakamurwa, Akasazvidza munyengetero wavo.
102:18b.PSA.102.018 Izvi zvichanyorerwa rudzi runozouya; Vanhu, vachazosikwa, vacharumbidza Jehovha.
102:19b.PSA.102.019 Nokuti wakatarira pasi ari panzvimbo yake tsvene yakakwirira; Jehovha akacherekedza nyika ari kudenga;
102:20b.PSA.102.020 Kuti anzwe kugomera kwomusungwa; Kuti asunungure vana vorufu;
102:21b.PSA.102.021 Kuti vanhu vaparidze zita raJehovha paZiyoni, Nokurumbidzwa kwake paJerusaremu;
102:22b.PSA.102.022 Kana marudzi avanhu aungana, Noushe huzhinji, kuti vashumire Jehovha.
102:23b.PSA.102.023 Wakatapudza simba rangu panzira; Wakafupisa mazuva angu.
102:24b.PSA.102.024 Ndakati, Mwari wangu, regai kundibvisa mazuva angu achigere kusvika; Makore enyu anosvika kumarudzi namarudzi.
102:25b.PSA.102.025 Makateya nyika kare-kare; Nedenga rose ibasa ramaoko enyu.
102:26b.PSA.102.026 Zvichaparara izvo, asi imi muchagara muripo; Zvirokwazvo, izvozvo zvose zvichasakara senguvo; Muchazvishandura sechisimiro, zvikashanduka;
102:27b.PSA.102.027 Asi imi hamushanduki, Makore enyu haangavi nomugumo.
102:28b.PSA.102.028 Vana vavaranda venyu vachagara varipo, Navana vavo vachasimbiswa pamberi penyu.
103
103:1b.PSA.103.001 Rumbidzai Jehovha, mweya wangu; Zvose zviri mukati mangu ngazvirumbidze zita rake dzvene.
103:2b.PSA.103.002 Rumbidza Jehovha, mweya wangu, Urege kukanganwa mikomborero yake;
103:3b.PSA.103.003 Iye, anokanganwira zvakaipa zvako zvose; Anoporesa kurwara kwako kwose;
103:4b.PSA.103.004 Anodzikunura hupenyu hwako pakuparadzwa; Anokuisa korona younyoro nengoni;
103:5b.PSA.103.005 Anogutisa moyo wako nezvakanaka; Kuti utsva hwako huvandudzwe segondo.
103:6b.PSA.103.006 Jehovha anoita zvinhu zvakarurama, Nokururamisira vose vanomanikidzwa.
103:7b.PSA.103.007 Akazivisa Mozisi nzira dzake, Navana vaIsiraeri zvaakaita.
103:8b.PSA.103.008 Jehovha anetsitsi nenyasha, Haachimbidziki kutsamwa, ane ngoni zhinji.
103:9b.PSA.103.009 Haangarambi achirwa; Uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi.
103:10b.PSA.103.010 Haana kutiitira sezvakafanira zvivi zvedu, Kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu.
103:11b.PSA.103.011 Nokuti sokukwirira kwokudenga kumusoro, Ndizvo zvakaita kukura kwengoni dzake kuna vanomutya.
103:12b.PSA.103.012 Sokuva kure kwamabvazuva namavirira, Saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwose kure nesu.
103:13b.PSA.103.013 Sokunzwira tsitsi kwababa vana vake, Saizvozvo Jehovha anonzwira tsitsi vanomutya.
103:14b.PSA.103.014 Nokuti iye anoziva chatakaitwa nacho, Anorangarira kuti tiri guruva.
103:15b.PSA.103.015 Kana ari munhu, mazuva ake akaita souswa; Seruva resango, iye anokura saizvozvo.
103:16b.PSA.103.016 Nokuti imhepo inopfuura pamusoro paro, onei raenda; Nenzvimbo yaro haicharizivi.
103:17b.PSA.103.017 Asi ngoni dzaJehovha dziripo nokusingaperi-peri kuna vanomutya, Nokururama kwake kuvana vavana vavo;
103:18b.PSA.103.018 kuna ivo vanochengeta sungano yake, Nokuna vanorangarira zvaakaraira, kuti vazviite.
103:19b.PSA.103.019 Jehovha akasimbisa chigaro chake choushe kudenga-denga; Ushe hwake hunobata zvinhu zvose.
103:20b.PSA.103.020 Rumbidzai Jehovha, imi vatumwa vake; Imi mhare dzine simba, munoita zvaakataura, Muchiteerera inzwi reshoko rake.
103:21b.PSA.103.021 Rumbidzai Jehovha, imi hondo dzake dzose; Imi vashumiri vake, vanoita zvinomufadza.
103:22b.PSA.103.022 Rumbidzai Jehovha, imi mabasa ake ose, Panzvimbo dzose dzoumambo hwake; Rumbidza Jehovha, mweya wangu!
104
104:1b.PSA.104.001 Rumbidza Jehovha, mweya wangu! Jehovha Mwari wangu, muri mukuru kwazvo; Makafukidzwa nokukudzwa noumambo.
104:2b.PSA.104.002 Imi munozvifukidza nechiedza sechisimiro; Munotatamura kudenga-denga somucheka wetende;
104:3b.PSA.104.003 Ndiye anoteya matanda edzimba dzake mumvura; Anoita makore ngoro yake; Anofamba pamusoro pamapapiro emhepo
104:4b.PSA.104.004 Anoita mhepo nhume dzake; Nomoto, unopfuta, vashumiri vake;
104:5b.PSA.104.005 Akateya nheyo dzapasi; Kuti parege kuzununguswa nokusingaperi,
104:6b.PSA.104.006 Makapafukidza nemvura yakadzika sechisimiro; Mvura zhinji yakamira pamusoro pamakomo,
104:7b.PSA.104.007 Makati muchituka ikatiza; inzwi rokutinhira kwenyu rakati richinzwika, ikachimbidzika kuenda.
104:8b.PSA.104.008 Makomo akakwira, mipata yakaderera; Ikaenda kunzvimbo yamakaigadzirira,
104:9b.PSA.104.009 Makaitarira muganho, kuti irege kudarika; Kuti irege kudzoka kuzofukidza pasizve.
104:10b.PSA.104.010 Anotuma matsime mumipata; Mvura inoyerera napakati pamakomo;
104:11b.PSA.104.011 Anonwisa mhuka dzose dzesango; Mbizi dzinopedza nyota yadzo.
104:12b.PSA.104.012 Shiri dzokudenga dzinogara paari, Dzinorira pakati pamatavi.
104:13b.PSA.104.013 Anodiridza makomo ari padzimba dzake; Pasi panogutiswa nechibereko chamabasa enyu.
104:14b.PSA.104.014 Anomeresa uswa hwezvipfuwo, Nemiriwo, inobatsira vanhu; Kuti abudise zvokudya pasi;
104:15b.PSA.104.015 Newaini inofadza moyo womunhu, Namafuta anobwinyisa chiso chake, Nechingwa chinosimbisa moyo womunhu.
104:16b.PSA.104.016 Miti yaJehovha inoguta; Iyo misidhari yeRebhanoni yaakasima;
104:17b.PSA.104.017 Apo panovaka shiri matendere adzo, Kana riri zimudo, miti yemisipiresi ndiyo imba yaro.
104:18b.PSA.104.018 Makomo marefu ndeetsoma; Matombo ndihwo utiziro hwembira.
104:19b.PSA.104.019 Akatara mwedzi kuti uratidze nguva; Zuva rinoziva nguva yokuvira kwaro.
104:20b.PSA.104.020 Munoita rima, usiku ndokuvapo; Panguva iyo mhuka dzose dzedondo dzinobuda.
104:21b.PSA.104.021 Vana veshumba vanoomba vachitsvaka zvavangauraya, Vanotsvaka zvokudya zvavo kuna Mwari.
104:22b.PSA.104.022 Kana zuva richibuda, dzinoenda hadzo, Dzichindovata mumapako adzo.
104:23b.PSA.104.023 Zvino munhu obudira kubasa rake. Nokumurimo wake kusvikira madekwana.
104:24b.PSA.104.024 Haiwa Jehovha, mabasa enyu mazhinji sei! Makaaita ose nenjere; Pasi pazere nefuma yenyu.
104:25b.PSA.104.025 Hero gungwa, rakakura ibamhi, Mukati maro mune zvinhu zvinokambaira zvisingagoni kuverengwa, Zvipenyu zviduku nezvikuru.
104:26b.PSA.104.026 Hezvo zvikepe, zvinofamba; Heyo ngwena yamakaumba, kuti itambe mariri.
104:27b.PSA.104.027 Izvi zvose zvinokumirirai, Kuti muzvipe zvokudya zvazvo nenguva yakafanira.
104:28b.PSA.104.028 Zvamunozvipa imi, ndizvo zvazvinounganidza; Munotadzanura ruoko rwenyu, izvo ndokuguta nezvakanaka.
104:29b.PSA.104.029 Munovanza chiso chenyu, izvo ndokuvhunduswa; Munozvitorera mweya wazvo, izvo ndokufa, Zvichidzokera kuguruva razvo.
104:30b.PSA.104.030 Munotuma mweya wenyu, izvo ndokusikwa; Munovandudza chiso chevhu.
104:31b.PSA.104.031 Kubwinya kwaJehovha ngakugare nokusingaperi; Jehovha ngaafarire mabasa ake;
104:32b.PSA.104.032 Iye anotarira pasi, ipo ndokubvunda; Unonyangata makomo, iwo ndokubudisa utsi.
104:33b.PSA.104.033 Ndichaimbira Jehovha panguva yose youpenyu hwangu; Ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiripo.
104:34b.PSA.104.034 Kurangarira kwangu ngakumufadze; Ndichafara kwazvo muna Jehovha.
104:35b.PSA.104.035 Vatadzi ngavaparadzwe pasi, Navakaipa ngavarege kuzovapo. Rumbidzai Jehovha, mweya wangu. Hareruya
105
105:1b.PSA.105.001 Vongai Jehovha, mudane zita rake; Zivisai zvaakaita pakati pendudzi dzavanhu.
105:2b.PSA.105.002 Muimbirei, mumuimbire nziyo dzokukudza; Rondedzerai mabasa ake ose anoshamisa.
105:3b.PSA.105.003 Zvirumbidzei muzita rake dzvene; moyo yavanotsvaka Jehovha ngaifare kwazvo.
105:4b.PSA.105.004 Tsvakai Jehovha nesimba rake; Tsvakai chiso chake nguva dzose.
105:5b.PSA.105.005 Rangarirai mabasa ake anoshamisa, aakaita; Zvishamiso zvake, nezvaakatonga nomuromo wake;
105:6b.PSA.105.006 Imi vana vaAbhurahamu, muranda wake, Imi vanakomana vaJakobho, vasanangurwa vake.
105:7b.PSA.105.007 Ndiye Jehovha Mwari wedu; Zvaakatonga zviri pasi pose.
105:8b.PSA.105.008 Wakarangarira sungano yake nokusingaperi, Iro shoko raakaraira kumarudzi ane chiuru;
105:9b.PSA.105.009 Iyo sungano yaakaita naAbhurahamu, Nemhiko yake kuna Isaka.
105:10b.PSA.105.010 Akazvisimbisira Jakobho, kuti uve mutemo, Kuna Isiraeri kuti ive sungano isingaperi;
105:11b.PSA.105.011 Achiti, Ndichakupa iwe nyika yeKanani, Uve mugove wenhaka yenyu;
105:12b.PSA.105.012 Panguva yavakanga vachiri varume vashoma pakuverengwa, Zvirokwazvo, vashoma kwazvo, navatorwa mairi;
105:13b.PSA.105.013 Vakafamba-famba vachibva kuno rumwe rudzi vachienda kuno rumwe, Nokubva kunoumwe ushe vachienda kuna vamwe vanhu.
105:14b.PSA.105.014 Haana kutendera munhu kuvaitira zvakaipa; Zvirokwazvo, wakatuka madzimambo nokuda kwavo;
105:15b.PSA.105.015 Achiti, Musagunzva vazodzwa vangu, Navaporofita vangu musavaitira chakaipa.
105:16b.PSA.105.016 Akadana nzara kuti iuye panyika; Akavhuna mudonzvo wose wechingwa.
105:17b.PSA.105.017 Akatuma murume pamberi pavo; Josefa akatengeswa akava muranda;
105:18b.PSA.105.018 Vakakuvadza tsoka dzake nezvisungo zvesimbi, Akasungwa namaketani amatare;
105:19b.PSA.105.019 Kusvikira panguva yakaitika shoko rake; Shoko raJehovha rakamuidza.
105:20b.PSA.105.020 Mambo akatuma nhume akamusunungura; Mubati wendudzi dzavanhu, akamuregedza.
105:21b.PSA.105.021 Akamuita ishe weimba yake, Nomubati wefuma yake yose;
105:22b.PSA.105.022 Kuti araire machinda ake nokuda kwake, Nokudzidzisa vakuru vake huchenjeri.
105:23b.PSA.105.023 Isiraeri akasvikawo Ijipiti, NaJakobho wakagara ari mutorwa panyika yaHamu.
105:24b.PSA.105.024 Akawanza vanhu vake kwazvo, Akavapa simba rakapfuura ravadzivisi vavo.
105:25b.PSA.105.025 Wakashandura moyo yavo kuti vavenge vanhu vake, Kuti vanyengere varanda vake.
105:26b.PSA.105.026 Akatuma Mozisi muranda wake, NaAroni waakanga asanangura.
105:27b.PSA.105.027 Ivo vakaratidza zviratidzo zvake pakati pavo, Nezvishamiso panyika yaHamu.
105:28b.PSA.105.028 Akatuma rima, akaisvibisa; Vakasamukira mashoko ake.
105:29b.PSA.105.029 Akashandura mvura yavo yose, ikaita ropa, Akauraya hove dzavo.
105:30b.PSA.105.030 Nyika yavo yakazara namatatya, Mudzimba dzamadzimambo avo.
105:31b.PSA.105.031 Akataura, mapupira enhunzi akasvika, Nenda panyika yavo yose.
105:32b.PSA.105.032 Akavapa chimvuramabwe panzvimbo yemvura, Uye moto wakapfuta munyika yavo.
105:33b.PSA.105.033 Wakarovawo mizambiringa yavo nemionde yavo; Akavhuna-vhunawo miti yenyika yavo
105:34b.PSA.105.034 Akataura, mhashu dzikasvika, Namagwatakwata asingagoni kuverengwa.
105:35b.PSA.105.035 Zvikapedza miriwo yose munyika yavo, Nokupedza zvibereko zvevhu ravo.
105:36b.PSA.105.036 Akarovawo matangwe ose munyika yavo, Ivo vokutanga vesimba ravo rose.
105:37b.PSA.105.037 Akavabudisa vane sirivha nendarama; Kwakanga kusina nomumwe pakati pamarudzi avo wakashaiwa simba.
105:38b.PSA.105.038 Nyika yeIjipiti yakafara pakubva kwavo, Nokuti vakanga vabatwa nokutya nokuda kwavo.
105:39b.PSA.105.039 Wakatatamura gore rikava chifukidzo; Nomoto kuzovhenekera usiku.
105:40b.PSA.105.040 Vakakumbira, akauyisa zvihuta, Akavagutisa nechingwa chakabva kudenga.
105:41b.PSA.105.041 Akazarura dombo, mvura zhinji ikadzutuka; Ikayerera pakanga pakaoma sorwizi.
105:42b.PSA.105.042 Nokuti akarangarira shoko rake dzvene, NaAbhurahamu muranda wake.
105:43b.PSA.105.043 Akabudisa vanhu vake nomufaro, Navasanangurwa vake vachiimba.
105:44b.PSA.105.044 Akavapa nyika dzavahedheni; Vakazvitorera zvakanga zvabatwa nendudzi dzavanhu;
105:45b.PSA.105.045 Kuti vachengete zvaakatema, Nokuteerera mirairo yake. Hareruya.
106
106:1b.PSA.106.001 Hareruya. Vongai Jehovha, nokuti akanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
106:2b.PSA.106.002 Ndianiko angareva zvinhu zvine simba zvakaitwa naJehovha, Kana kududzira kurumbidza kwake kwose?
106:3b.PSA.106.003 Vakaropafadzwa vanochengeta kururama, Naiye anoita zvakarurama nguva dzose.
106:4b.PSA.106.004 Ndirangarirei Jehovha, nounyoro hwamunahwo kuvanhu venyu; Ndishanyirei noruponeso rwenyu.
106:5b.PSA.106.005 Kuti ndione kukomborerwa kwavasanangurwa venyu, Kuti ndifare kwazvo nomufaro wavanhu venyu, Kuti ndirumbidze pamwechete nenhaka yenyu.
106:6b.PSA.106.006 Takatadza pamwechete namadzibaba edu, Takaita pamwechete namadzibaba edu, Takaita zvisina kururama, takaita zvakaipa.
106:7b.PSA.106.007 Madzibaba edu haana kunzwisisa zvishamiso zvenyu paIjipiti; Haana kurangarira ngoni dzenyu zhinji; Asi vakakumukirai pagungwa, ipo paGungwa Dzvuku.
106:8b.PSA.106.008 Kunyange zvakadaro akavaponesa nokuda kwezita rake, Kuti azivise simba rake guru.
106:9b.PSA.106.009 Akarairawo Gungwa Dzvuku, rikapwa, Akavafambisa pakadzika sapanenge pabani.
106:10b.PSA.106.010 Akavaponesa paruoko rwowaivavenga. Akavadzikunura paruoko rwomuvengi.
106:11b.PSA.106.011 Mvura zhinji yakafukidza vadzivisi vavo; Kwakanga kusina nomumwe wavo akasara.
106:12b.PSA.106.012 Ipapo vakatenda mashoko ake; Vakaimba vachimurumbidza.
106:13b.PSA.106.013 Vakachimbidzika kukanganwa mabasa ake; Havana kurindira zano rake.
106:14b.PSA.106.014 Asi vakachiva kwazvo-kwazvo murenje, Vakaidza Mwari mugwenga.
106:15b.PSA.106.015 Akavapa chavakakumbira; Asi akatuma kuonda mumweya yavo.
106:16b.PSA.106.016 Vakagodora Mozisi pamisasa, NaAroni, mutsvene waJehovha.
106:17b.PSA.106.017 Pasi pakashama pakamedza Dhatani, Pakafukidza boka raAbhirami.
106:18b.PSA.106.018 Moto ukapfuta pakati peboka ravo; Murazvo ukapisa vakaipa.
106:19b.PSA.106.019 Vakaita mhuru paHorebhi, Vakanamata mufananidzo wakaumbwa.
106:20b.PSA.106.020 Vakatsinhana saizvozvo kubwinya kwavo Nomufananidzo wemombe, inochera bundo.
106:21b.PSA.106.021 Vakakanganwa Mwari muponesi wavo, Wakaita zvinhu zvikuru paIjipiti;
106:22b.PSA.106.022 Mabasa anoshamisa munyika yaHamu, Nezvinhu zvinotyisa paGungwa Dzvuku.
106:23b.PSA.106.023 Saka akati, Ndinoda kuvaparadza; Dai Mozisi musanangurwa wake asina kumira pamberi pake ipo pakaputsika, Kuti adzore kutsamwa kwake, arege kuvaparadza.
106:24b.PSA.106.024 Zvirokwazvo, vakazvidza nyika inofadza, Havana kutenda shoko rake;
106:25b.PSA.106.025 Asi vakanyunyuta mumatende avo, Vakasateerera inzwi raJehovha.
106:26b.PSA.106.026 Saka wakavasimudzira ruoko rwake. Kuti avaparadze murenje;
106:27b.PSA.106.027 Uye kuti aparadze vana vavo pakati pavahedheni. Avaparadzire panyika dzose.
106:28b.PSA.106.028 Vakazvibatanidzawo naBhaaripeori, Vakadya zvakabayirwa vakafa.
106:29b.PSA.106.029 Naizvozvo vakamutsamwisa nezvavakaita; Denda ndokupinda pakati pavo.
106:30b.PSA.106.030 Ipapo Pinehasi akasimuka, akaita zvakarurama; Denda ndokuguma.
106:31b.PSA.106.031 Izvozvo zvikanzi kwaari kururama, Kusvikira kumarudzi namarudzi nokusingaperi.
106:32b.PSA.106.032 Vakamutsamwisawo pamvura zhinji yeMeribha, Naizvozvo Mozisi akaoneswa nhamo nokuda kwavo;
106:33b.PSA.106.033 Nokuti vakamukira mweya wake, Iye akataura nehasha nemiromo yake.
106:34b.PSA.106.034 Havana kuparadza ndudzi dzavanhu, Sezvavakanga varairwa naJehovha,
106:35b.PSA.106.035 Asi vakavengana navahedheni, Vakadzidza mabasa avo;
106:36b.PSA.106.036 Vakashumira zvifananidzo zvavo; Izvo zvikava musungo kwavari.
106:37b.PSA.106.037 Zvirokwazvo, vakabayira mweya yakaipa vanakomana vavo navanasikana vavo,
106:38b.PSA.106.038 Vakateura ropa risina mhosva, iro ravanakomana vavo navanasikana vavo, Vakavabayira zvifananidzo zveKanani; Nyika ikasvibiswa neropa.
106:39b.PSA.106.039 Vakasvibiswa saizvozvo namabasa avo, Vakapata pane zvavakaita.
106:40b.PSA.106.040 Saka kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vanhu vake, Akasema nhaka yake.
106:41b.PSA.106.041 Akavaisa muruoko rwavahedheni; Vakavavenga ndivo vaivabata.
106:42b.PSA.106.042 Vavengi vavo vakavamanikidzawo, Vakaiswa pasi poruoko rwavo.
106:43b.PSA.106.043 Akavarwira kazhinji, Asi vakamumukira pakurangana kwavo, Vakanyudzwa muzvakaipa zvavo.
106:44b.PSA.106.044 Kunyange zvakadaro akatarira kutambudzika kwavo, Panguva yaakanzwa kuchema kwavo;
106:45b.PSA.106.045 Akarangarira sungano yake nokuda kwavo, Akazvidemba nokuda kwokuwanda kwengoni dzake.
106:46b.PSA.106.046 Akavanzwisawo tsitsi Navose vakanga vavatapa.
106:47b.PSA.106.047 Tiponesei, Jehovha Mwari wedu, Tiunganidzei, tibve pakati pavahedheni, Kuti tivonge zita renyu dzvene, Tifarisise pakukurumbidzai.
106:48b.PSA.106.048 Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi. Vanhu vose ngavati, Ameni. Hareruya.
107
107:1b.PSA.107.001 Vongai Jehovha, nokuti iye wakanaka; nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaoeri
107:2b.PSA.107.002 Vakadzikunurwa naJehovha ngavadaro, Ivo vakadzikunurwa muruvoko rwomudzivisi;
107:3b.PSA.107.003 Akavavunganidza panyika dzose kumabvazuva nekumavirira, kumusoro nezasi.
107:4b.PSA.107.004 vakafamba-famba murenje munzira yomugwenga;Havana kuwana muguta mavangagara
107:5b.PSA.107.005 vakafa nenzara nenyota,Mweya yavo ikaziya mukati mavo.
107:6b.PSA.107.006 Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, Iye akavarwira panjodzi dzavo.
107:7b.PSA.107.007 Wakavafambisawo nenzira yakarurama, Kuti vasvike kuguta rokugara.
107:8b.PSA.107.008 Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake, anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu!
107:9b.PSA.107.009 Nokuti anogutisa mweya, une nyota, Uye mweya, une nzara, anouzadza nezvakanaka.
107:10b.PSA.107.010 Ndivo, vakanga vagere murima nomumvuri worufu, Vakanga vakasungwa mukutambudzika namatare,
107:11b.PSA.107.011 Nokuti vakamukira mashoko aMwari, Vakashora zano roWokumusorosoro;
107:12b.PSA.107.012 Saka wakaninipisa moyo yavo nokutambura; Vakawira pasi, kukasava nomunhu anobatsira.
107:13b.PSA.107.013 Ipapo vakachema kuna Jehovha panhamo yavo, Akavaponesa pamatambudziko avo.
107:14b.PSA.107.014 Akavabudisa parima nomumvuri worufu, Akadamburanya zvisungo zvavo.
107:15b.PSA.107.015 Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake, anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu!
107:16b.PSA.107.016 Nokuti wakavhuna masuo endarira, Nokuguranya mazariro amatare.
107:17b.PSA.107.017 Mapenzi anotambudzika nokuda kwokudarika kwavo, Uye nokuda kwazvakaipa zvavo.
107:18b.PSA.107.018 Mweya wavo unosema zvokudya zvose; Vanoswedera pedo namasuo orufu.
107:19b.PSA.107.019 Zvino vochema kuna Jehovha panhamo yavo, Iye anovaponesa pamatambudziko avo.
107:20b.PSA.107.020 Anotuma shoko rake, ndokuvaporesa, Nokuvarwira pakuparadzwa kwavo.
107:21b.PSA.107.021 Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu!
107:22b.PSA.107.022 Ngavabayire zvibayiro zvokuvonga, Nokududzira mabasa ake nokuimba.
107:23b.PSA.107.023 Avo, vanoburukira kugungwa muzvikepe, Vanoshambadzira kumvura zhinji;
107:24b.PSA.107.024 Ndivo vanoona mabasa aJehovha, Nezvishamiso zvake pakadzika.
107:25b.PSA.107.025 Nokuti anoraira, ndokumutsa dutu guru, Rinomutsa mafungu aro.
107:26b.PSA.107.026 Vanosimudzirwa kudenga; ndokuburukirazve pakadzika; Mweya wavo unonyauka nokuda kwenhamo.
107:27b.PSA.107.027 Vanondeya-ndeya nokudzengedzeka somunhu akabatwa. Vapera mano.
107:28b.PSA.107.028 Zvino vochema kuna Jehovha panhamo yavo, Iye ndokuvabudisa pamatambudziko avo.
107:29b.PSA.107.029 Anonyaradza dutu remhepo, Mafungu aro ndokunyarara.
107:30b.PSA.107.030 Ipapo vanofara nokuti anyarara; Zvino iye ndokuvasvitsa pakadzikama pavaida kuvapo.
107:31b.PSA.107.031 Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake Uye nokuda kwamabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vavanhu!.
107:32b.PSA.107.032 Ngavamukudzisewo paungano yavanhu, Vamurumbidze pamakurukota avakuru.
107:33b.PSA.107.033 Anoshandura nzizi dzikaita renje, Namatsime emvura aite nyika yakaoma;
107:34b.PSA.107.034 Nyika, inobereka zvakanaka, ive sango rebare, Nokuda kwezvakaipa zvavanogara mairi.
107:35b.PSA.107.035 Anoshandura renje riite dziva remvura, Nenyika yakaoma iite matsime emvura.
107:36b.PSA.107.036 Ndipapo paanogarisa vane nzara, Kuti vamutse guta rokugaramo;
107:37b.PSA.107.037 Vadzvare minda, vasime minda yemizambiringa, Vawane zvibereko zvizhinji.
107:38b.PSA.107.038 Akavaropafadzawo, vakawanda kwazvo; Akasatendera zvipfuwo zvavo kutapudzwa.
107:39b.PSA.107.039 Zvino vakatapudzika nokuva vashoma. Nemhaka yokumanikidzwa, nenhamo, nokuzvidya moyo.
107:40b.PSA.107.040 Anodurura kuzvidza pamusoro pamachinda, Achivadzungaidza murenje musina nzira.
107:41b.PSA.107.041 Kunyange zvakadaro, anogadza mushaiwi kumusoro kusina dambudziko, Achimumutsira mhuri samapoka amakwai.
107:42b.PSA.107.042 Akarurama achazviona, akafara; Uye zvakaipa zvose zvichadzivirwa muromo wazvo.
107:43b.PSA.107.043 Ani naani akachenjera achacherekedza zvinhu izvozvi, Vachafunga unyoro hwaJehovha. Mwari Mubatsiri wedu
108
108:1b.PSA.108.001 moyo wangu wakasimba, Mwari; Ndichaimba, zvirokwazvo, ndichaimba nziyo dzokurumbidza, nomweya wangu wose.
108:2b.PSA.108.002 Muka iwe mutengeranwa nembira; Ini ndimene ndichamuka mangwanani.
108:3b.PSA.108.003 Ndichakuvongai Jehovha, pakati pendudzi dzavanhu; Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza pakati pavahedheni.
108:4b.PSA.108.004 Nokuti ngoni dzenyu ihuru kumusoro kwokudenga-denga, Uye zvokwadi yenyu inosvikira kudenga rose.
108:5b.PSA.108.005 Imi mukudzwe Mwari, kumusoro kwokudenga-denga; Kurumbidzwa kwenyu ngakuve kumusoro kwapasi pose.
108:6b.PSA.108.006 Kuti vadikanwi venyu varwirwe, Tiponesei noruoko rwenyu rworudyi, mutipindure.
108:7b.PSA.108.007 Mwari akataura pautsvene hwake, achiti, Ndichafara kwazvo; Ndichaganhura Shekemu, ndichayera mupata weSukoti.
108:8b.PSA.108.008 Giriyadhi ndeyangu naManase ndeyangu; Efuremuwo inhaviro yomusoro wangu; Judha ndiyo tsvimbo yangu youshe.
108:9b.PSA.108.009 Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambidzira; Pamusoro peEdhomu ndipo pandichakandira shangu yangu; Ndichapururudza nokuda kwaFirisitia.
108:10b.PSA.108.010 Ndianiko achandiisa muguta rakakombwa namasvingo? Ndianiko achandiperekedza ndiende Edhomu?
108:11b.PSA.108.011 Hamuna kutirasha here, Mwari? Hamubudi Mwari, nehondo dzedu.
108:12b.PSA.108.012 Tibatsirei pamudzivisi wedu; Nokuti kubatsira kwavanhu hakuna maturo.
108:13b.PSA.108.013 MunaMwari tichaita noumhare; Nokuti ndiye achatsika vadzivisi vedu pasi.
109
109:1b.PSA.109.001 Regai kunyarara, Mwari wokurumbidza kwangu;
109:2b.PSA.109.002 Nokuti vakandishamisira muromo wowakaipa, uye muromo unonyengedzera; Vakandireva norurimi rune nhema.
109:3b.PSA.109.003 Vakandikombawo namashoko embengo, Vakarwa neni pasina mhosva.
109:4b.PSA.109.004 Pakuvada kwangu vava vadzivisi vangu; Asi ini ndinonyengetera hangu.
109:5b.PSA.109.005 Vakanditsivira zvakaipa pane zvakanaka, zvandakavaitira, Nembengo pakuvada kwangu.
109:6b.PSA.109.006 Isai munhu akaipa ave ishe wake; Mudzivisi ngaamire paruoko rwake rworudyi.
109:7b.PSA.109.007 Kana achitongwa, ngaapiwe mhosva; Munyengetero wake ngaushandurwe zvivi.
109:8b.PSA.109.008 Mazuva ake ngaave mashoma; Mumwe ngaatore basa rake.
109:9b.PSA.109.009 Vana vake ngavave nherera, Uye mukadzi wake ngaave chirikadzi.
109:10b.PSA.109.010 Vana vake ngavave vadzungairi, navapemhi; Ngavatsvake zvokudya kure namatongo avo.
109:11b.PSA.109.011 Waakadyira chikwerete ngaatore zvose zvaanazvo; Vatorwa ngavapambe zvose zvaakabatira.
109:12b.PSA.109.012 Ngakushaikwe munhu anomunzwira ngoni; Ngakushaikwe munhu anetsitsi nenherera dzake.
109:13b.PSA.109.013 Vana vake ngavarove; Zita ravo ngaridzimwe parudzi runotevera.
109:14b.PSA.109.014 Zvakaipa zvamadzibaba ake ngazvirangarirwe naJehovha; Zvivi zvamai vake ngazvirege kudzimwa.
109:15b.PSA.109.015 Ngazvirambe zviri pamberi paJehovha nguva dzose, Kuti aparadze kurangarirwa kwavo pasi.
109:16b.PSA.109.016 Nemhaka yokuti haana kurangarira kunzwira ngoni, Asi wakatambudza murombo nomushaiwi, Neanomoyo wakaputsika, kuti avauraye.
109:17b.PSA.109.017 Zvirokwazvo, kutuka ndizvo zvaakada, zvikauyawo kwaari; Kukomborera haana kukufarira kukagara kure naye.
109:18b.PSA.109.018 Akazvifukidzawo nokutuka, zvikaita senguvo yake, Zvikapinda mukati make semvura, Samafuta mumapfupa ake.
109:19b.PSA.109.019 Ngazvive kwaari sechisimiro chaanofukidza nacho, Segwarada raakazvisunga naro nguva dzose.
109:20b.PSA.109.020 Uyu ndiwo mubayiro wavadzivisi vangu, unobva kuna Jehovha, Nowavanotaurira mweya wangu zvakaipa.
109:21b.PSA.109.021 Asi imi Jehovha Ishe, ndiitirei zvakanaka nokuda kwezita renyu; Ngoni dzenyu zvadzakanaka, ndirwirei.
109:22b.PSA.109.022 Nokuti ndiri murombo nomushaiwi, Nomoyo wangu wakakuvadzwa mukati mangu.
109:23b.PSA.109.023 Ndaenda somumvuri wareba; Ndapepereswa semhashu.
109:24b.PSA.109.024 Mabvi angu haachine simba nokuzvinyima zvokudya; Nyama yangu yaonda nokushaiwa mafuta.
109:25b.PSA.109.025 Ndavawo chinhu chinozvidzwa navo; Kana vachindiona vanodzungudza misoro yavo.
109:26b.PSA.109.026 Ndibatsirei, Jehovha, Mwari wangu; Ndiponesei nengoni dzenyu.
109:27b.PSA.109.027 Kuti vazive kuti ndirwo ruoko rwenyu; Kuti imwi Jehovha, ndimwi makazviita.
109:28b.PSA.109.028 Ngavatuke havo, asi imi ropafadzai; Kana vachisimuka, vachanyadziswa, asi muranda wenyu achafara kwazvo.
109:29b.PSA.109.029 Vadzivisi vangu ngavafukidzwe nokunyadziswa, Ngavazvifukidze nokunyara kwavo sejasi.
109:30b.PSA.109.030 Ndichavonga Jehovha kwazvo nomuromo wangu; Zvirokwazvo, ndichamurumbidza pakati pavazhinji.
109:31b.PSA.109.031 Nokuti iye achamira kuruoko rworudyi rwomushaiwi, Kuti amuponese panavanotonga mweya wake.
110
110:1b.PSA.110.001 Jehovha akati kuna She wangu, Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.
110:2b.PSA.110.002 Jehovha achatambanudza tsvimbo yesimba rako ribude paZiyoni, achiti, Bata ushe pakati pavavengi vako.
110:3b.PSA.110.003 Vanhu vako vachazviisa nomoyo wose pazuva rauchaunganidza hondo yako, Nenguva tsvene, pachizvaro chamangwanani, Ndipo pane dova rohujaya hwako.
110:4b.PSA.110.004 Jehovha akapika, haangazvidembi, achiti, Iwe uri mupirisiti nokusingaperi. Unorudzi naMerikizedheki.
110:5b.PSA.110.005 Ishe parudyi rwako Achaparadza madzimambo pazuva rokutsamwa kwake.
110:6b.PSA.110.006 Iye achatonga pakati pavahedheni, Achazadza nyika nezvitunha; Achaparadza misoro panyika zhinji.
110:7b.PSA.110.007 Achanwa parukova panzira; Saka achasimudza musoro wake.
111
111:1b.PSA.111.001 Hareruya! Ndichavonga Jehovha nomoyo wangu wose, Parangano yavakarurama, napaungano.
111:2b.PSA.111.002 Mabasa aJehovha makuru, Anocherechedzwa navose vanoafarira.
111:3b.PSA.111.003 Basa rake rinoratidza kukudzwa noumambo; Kururama kwake kunogara nokusingaperi.
111:4b.PSA.111.004 Mabasa ake, anoshamisa, wakaaita chiyeudziro; Jehovha anenyasha netsitsi.
111:5b.PSA.111.005 Akapa zvokudya vanomutya; Acharangarira sungano yake nokusingaperi.
111:6b.PSA.111.006 Akaratidza vanhu vake simba ramabasa ake, Zvaakavapa nhaka yavahedheni.
111:7b.PSA.111.007 Mabasa amaoko ake izvokwadi nokururamisira; Mirairo yake yose yakasimba.
111:8b.PSA.111.008 Yakasimbiswa nokusingaperi-peri, Yakaitwa nezvokwadi nokururama.
111:9b.PSA.111.009 Akatumira vanhu vake rudzikunuro; Akaraira sungano yake nokusingaperi; Zita rake idzvene rinotyisa.
111:10b.PSA.111.010 Kutya Jehovha ndiko kutanga kwouchenjeri; Vose vanozviita vanomurangariro wakanaka; Kurumbidzwa kwake kunogara nokusingaperi.
112
112:1b.PSA.112.001 Hareruya! Akaropafadzwa munhu anotya Jehovha, Anofarira zvikuru mirairo yake.
112:2b.PSA.112.002 Vana vake vachava nesimba pasi; Rudzi rwowakarurama rucharopafadzwa.
112:3b.PSA.112.003 fuma nezvakawanda zviri mumba make; Kururama kwake kunogara nokusingaperi.
112:4b.PSA.112.004 Akarurama anobudirwa nechiedza parima; Iye anenyasha, netsitsi nokururama.
112:5b.PSA.112.005 Ane mufaro munhu uyo anoita nenyasha, anopa chikwerete, Acharuramisirwa mhaka yake pakutonga.
112:6b.PSA.112.006 Nokuti haangatongozununguswi; Akarurama acharamba achirangarirwa nokusingaperi.
112:7b.PSA.112.007 Haangatyi mashoko ezvinhu zvakaipa; moyo wake wakasimba, uchavimba naJehovha.
112:8b.PSA.112.008 moyo wake wakasimbiswa, haangatyi, Kusvikira aona kukundwa kwavadzivisi vake.
112:9b.PSA.112.009 Akaparadzira, akapa vashaiwi; Kururama kwake kunogara nokusingaperi; Runyanga rwake ruchakwiridzwa nokukudzwa.
112:10b.PSA.112.010 Akaipa achazviona, ndokufa neshungu; Achageda-geda meno ake, ndokunyauka; Kuda kwowakaipa kuchaparara.
113
113:1b.PSA.113.001 Hareruya! Rumbidzai, imi varanda vaJehovha, Rumbidzai zita raJehovha.
113:2b.PSA.113.002 Zita raJehovha ngarikudzwe Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi.
113:3b.PSA.113.003 Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro Zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa.
113:4b.PSA.113.004 Jehovha uri kumusoro kwavahedheni vose, Nokubwinya kwake kumusoro kwokudenga-denga.
113:5b.PSA.113.005 Ndianiko akafanana naJehovha Mwari wedu, Iye anogara kumusoro,
113:6b.PSA.113.006 Iye anozvidukupisa kuti aone Zviri kudenga napasi?
113:7b.PSA.113.007 Anosimudza murombo abve muguruva, anomumutsa abve padurunhuru;
113:8b.PSA.113.008 Kuti amugarise pamwechete namachinda, Iwo machinda avanhu vake.
113:9b.PSA.113.009 Anogarisa mukadzi asingabereki mumba,ave mai vanofara navana. Hareruya
114
114:1b.PSA.114.001 Pakubuda kwaIsiraeri Imba yaJakobho ichibuda pakati pavanhu vakanga vanorumwe rurimi;
114:2b.PSA.114.002 Judha akaitwa imba yake tsvene, Nalsiraeri ushe hwake.
114:3b.PSA.114.003 Gungwa rakazviona, rikatiza; Jorodhani rwakadzokera shure.
114:4b.PSA.114.004 Makomo akapembera samakondobwe, Nezvikomo samakwayana.
114:5b.PSA.114.005 Unonzweiko iwe gungwa, zvaunotiza iwe? Newe Jorodhani, zvaunodzokera shure?
114:6b.PSA.114.006 Nemi makomo, zvamunopembera samakondobwe; Nemi zvikomo, samakwayana?
114:7b.PSA.114.007 Bvunda iwe pasi, pamberi paShe, Pamberi paMwari waJakobho;
114:8b.PSA.114.008 Iye akashandura dombo, rikava dziva remvura,
115
115:1b.PSA.115.001 Isu kwete, Jehovha, isu kwete, Asi zita renyu ngarikudzwe, Nokuda kwengoni dzenyu, uye nokuda kwokutendeka kwenyu.
115:2b.PSA.115.002 Vahedheni vachareverei, vachiti, Ko Mwari wavo zvino uripi?
115:3b.PSA.115.003 Asi Mwari wedu ari kudenga-denga; Akaita zvose zvaakada.
115:4b.PSA.115.004 Zvifananidzo zvavo sirivha nendarama, Basa ramaoko avanhu.
115:5b.PSA.115.005 Zvinemiromo, asi hazvitauri; nameso zvinawo, asi hazvioni;
115:6b.PSA.115.006 Zvinenzeve, asi hazvinzwi; Nemhino zvinadzo, asi hazvinhuwidzi;
115:7b.PSA.115.007 zvina maoko, asi hazvibati; Namakumbo zvinawo, asi hazvifambi; Hazvitauri napahuro pazvo.
115:8b.PSA.115.008 Ivo vanozviita vachafanana nazvo; Zvirokwazvo, navose vanovimba nazvo.
115:9b.PSA.115.009 lwe Isiraeri, vimba naJehovha; Ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo.
115:10b.PSA.115.010 Iwe imba yaAroni, vimba naJehovha; Ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo.
115:11b.PSA.115.011 Imi munotya Jehovha, vimbai naJehovha; Ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo.
115:12b.PSA.115.012 Jehovha akatirangarira; iye achatiropafadza; Acharopafadza imba yaIsiraeri, Acharopafadza imba yaAroni.
115:13b.PSA.115.013 Acharopafadza vanotya Jehovha, Vaduku navakuru vose.
115:14b.PSA.115.014 Jehovha acharamba achikuwanzai, Imi navana venyu.
115:15b.PSA.115.015 Imi makaropafadzwa naJehovha, Iye akaita kudenga napasi.
115:16b.PSA.115.016 Kudenga-denga ndiko kudenga-denga kwaJehovha; Asi pasi akapa vanakomana vavanhu.
115:17b.PSA.115.017 Vakafa havarumbidzi Jehovha, Kunyange ani naani anoburukira kwakanyarara;
115:18b.PSA.115.018 Asi isu hedu tichakudza Jehovha Kubva panguva ino kusvika pakusingaperi. Hareruya!
116
116:1b.PSA.116.001 Ndinoda Jehovha, nokuti anonzwa inzwi rangu nokukumbira kwangu.
116:2b.PSA.116.002 Zvaakarereka nzeve yake kwandiri, Ndichadana kwaari mazuva angu ose.
116:3b.PSA.116.003 Misungo yorufu yakandikomba, Kurwadziwa kweSheori kwakandibata; Ndakawana kutambudzika nokuchema.
116:4b.PSA.116.004 Ipapo ndakadana zita raJehovha; Haiwa Jehovha, ndinonyengetera kuti murwire mweya wangu.
116:5b.PSA.116.005 Jehovha anenyasha, akarurama; Zvirokwazvo, Mwari wedu ane tsitsi.
116:6b.PSA.116.006 Jehovha anochengeta vasina mano; Ndakanga ndashaiwa simba, iye akandiponesa.
116:7b.PSA.116.007 Dzokera kuzororo rako, mweya wangu; Nokuti Jehovha akakuitira zvakanaka.
116:8b.PSA.116.008 Nokuti makarwira mweya wangu parufu; Nameso angu pamisodzi, Netsoka dzangu pakugumburwa.
116:9b.PSA.116.009 Ndichafamba pamberi paJehovha Panyika yavapenyu.
116:10b.PSA.116.010 Ndakatenda pakutaura kwangu, ndichiti, Ndakamanikidzwa kwazvo,
116:11b.PSA.116.011 Ndakati pakuvhunduka kwangu, Vanhu vose vanoreva nhema.
116:12b.PSA.116.012 Ndichavigireiko Jehovha Pamusoro pemikomborero yake yose kwandiri?
116:13b.PSA.116.013 Ndichasimudza mukombe wokuponeswa, Ndichidana zita raJehovha.
116:14b.PSA.116.014 Ndicharipira Jehovha mhiko dzangu, Ndichazviita pamberi pavanhu vake vose.
116:15b.PSA.116.015 Chinhu chinokosha pamberi paJehovha, Ndirwo rufu rwavatsvene vake.
116:16b.PSA.116.016 Haiwa Jehovha, zvirokwazvo ndiri muranda wenyu; Ndiri muranda wenyu, mwanakomana womurandakadzi wenyu; Makasunungura misungo yangu.
116:17b.PSA.116.017 Ndichakubayirai zvibayiro zvokuvonga, Ndichidana zita raJehovha.
116:18b.PSA.116.018 Ndicharipira Jehovha mhiko dzangu, Ndichazviita pamberi pavanhu vake vose;
116:19b.PSA.116.019 Pavazhe dzeimba yaJehovha, Mukati mako, iwe Jerusaremu. Hareruya!
117
117:1b.PSA.117.001 Rumbidzai Jehovha, imi ndudzi dzose dzavanhu, Mukudzei, imi vanhu vose.
117:2b.PSA.117.002 Nokuti ngoni dzake kwatiri ihuru; Kutendeka kwaJehovha kunogara nokusingaperi. Hareruya!
118
118:1b.PSA.118.001 Vongai Jehovha; nokuti wakanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
118:2b.PSA.118.002 Isiraeri zvino ngavati, Ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
118:3b.PSA.118.003 Imba yaAroni zvino ngaiti, Ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
118:4b.PSA.118.004 Avo vanotya Jehovha zvino ngavati, Ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
118:5b.PSA.118.005 Ndakadanidzira kuna Jehovha pakutambudzika kwangu, Jehovha paakandipindura, akandiisa pakafarikana.
118:6b.PSA.118.006 Jehovha ari kurutivi rwangu; handingatyi; Munhu angandiiteiko?
118:7b.PSA.118.007 Jehovha ari kurutivi rwangu pakati pavanondibatsira; Saka ndichaona kukundwa kwavanondivenga.
118:8b.PSA.118.008 Zviri nani kutizira kuna Jehovha Pakuvimba nomunhu.
118:9b.PSA.118.009 Zviri nani kutizira kuna Jehovha Pakuvimba namachinda.
118:10b.PSA.118.010 Vahedheni vose vakandikomba; Ndichavaparadza nezita raJehovha.
118:11b.PSA.118.011 Vakandikomba, zvirokwazvo, vakandikomba, Ndichavaparadza nezita raJehovha.
118:12b.PSA.118.012 Vakandikomba senyuchi; vakadzimwa somoto weminzwa; Ndichavaparadza nezita raJehovha.
118:13b.PSA.118.013 Kundisundidzira wakandisundidzira iwe kuti ndiwe; Asi Jehovha akandibatsira.
118:14b.PSA.118.014 Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu; Iye akava muponesi wangu.
118:15b.PSA.118.015 inzwi rokufara nerokuponeswa riri mumatende avakarurama; Ruoko rworudyi rwaJehovha runokunda.
118:16b.PSA.118.016 Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakasimudzwa, Ruoko rworudyi rwaJehovha runokunda.
118:17b.PSA.118.017 Handingafi, asi ndichararama, Ndichadudzira mabasa aJehovha.
118:18b.PSA.118.018 Kundiranga Jehovha akandiranga; Asi haana kundiisa pakufa.
118:19b.PSA.118.019 Ndizarurirei masuo okururama; Ndichapinda nawo, ndivonge Jehovha.
118:20b.PSA.118.020 iri ndiro suo raJehovha; Vakarurama vachipinda naro.
118:21b.PSA.118.021 Ndichakuvongai, nokuti makandipindura, Mukava muponesi wangu.
118:22b.PSA.118.022 Ibwe rakaraswa navavaki Ndiro rakazova musoro wekona.
118:23b.PSA.118.023 Ichi chinhu chakabva kuna Jehovha; Zvinoshamisa kana tichizviona.
118:24b.PSA.118.024 Rino izuva rakaitwa naJehovha; Ngatifare kwazvo tirifarire.
118:25b.PSA.118.025 Tiponesei zvino, Jehovha ndizvo zvatinonyengetera; Jehovha, tipei mufaro ndizvo zvatinonyengetera.
118:26b.PSA.118.026 Akaropafadzwa iye anouya nezita raJehovha; Takaropafadzwa tiri mumba maJehovha.
118:27b.PSA.118.027 Jehovha ndiye Mwari, ndiye akativhenekera; Sungirai chibayiro namabote ipo panyanga dzearitari pamene.
118:28b.PSA.118.028 Imi muri Mwari wangu, ndichakuvongai; Muri Mwari wangu, ndichakukudzai.
118:29b.PSA.118.029 Vongai Jehovha; nokuti akanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
119
119:1b.PSA.119.001 Vakaropafadzwa avo vane nzira yakarurama, Vanofamba mumurau waJehovha.
119:2b.PSA.119.002 Vakaropafadzwa vanochengeta zvipupuriro zvake, Vanomutsvaka nomoyo wose.
119:3b.PSA.119.003 Zvirokwazvo, havaiti chinhu chisina kururama, Vanofamba munzira dzake.
119:4b.PSA.119.004 Makatiraira zvirevo zvenyu, Kuti tizvichengete zvakanaka.
119:5b.PSA.119.005 Haiwa, dai nzira dzangu dzakagadzirirwa Kuchengeta mitemo yenyu.
119:6b.PSA.119.006 Ipapo handinganyadziswi, Kana ndichirangarira mirairo yenyu yose.
119:7b.PSA.119.007 Ndichakuvongai nomoyo wakarurama, Kana ndichidzidza zvamakatonga zvakarurama.
119:8b.PSA.119.008 Ndichachengeta mitemo yenyu; Haiwa, regai kundirasha chose.
119:9b.PSA.119.009 Jaya ringaramba richinatsa nzira yaro neiko? Kana richichenjerera sezvinoraira shoko renyu.
119:10b.PSA.119.010 Ndakakutsvakai nomoyo wangu wose; Musanditendera kutsauka pamirairo yenyu.
119:11b.PSA.119.011 Shoko renyu ndakariviga mumoyo wangu, Kuti ndirege kukutadzirai.
119:12b.PSA.119.012 Imi munofanira kukudzwa, Jehovha; Ndidzidzisei mitemo yenyu.
119:13b.PSA.119.013 Ndakadudzira nemiromo yangu Zvose zvamakatonga nomuromo wenyu.
119:14b.PSA.119.014 Ndakafara kwazvo munzira yezvipupuriro zvenyu, Sezvandinofarira fuma yose.
119:15b.PSA.119.015 Ndichafungisisa zvirevo zvenyu, Nokurangarira nzira dzenyu.
119:16b.PSA.119.016 Ndichazvifadza nemitemo yenyu; Handingakanganwi shoko renyu.
119:17b.PSA.119.017 Itirai muranda wenyu zvakanaka, kuti ndirarame; Ipapo ndichachengeta shoko renyu.
119:18b.PSA.119.018 Ndisvinudzei meso angu, kuti ndione Zvinhu zvinoshamisa zviri pamurau wenyu.
119:19b.PSA.119.019 Nokuti ndiri mutorwa panyika; Regai kundivanzira%mirairo yenyu.
119:20b.PSA.119.020 Mweya wangu wapera nokushuva Panguva dzose zvamakatonga.
119:21b.PSA.119.021 Makaraira vanozvikudza, Ngavatukwe vanotsauka pamirairo yenyu.
119:22b.PSA.119.022 Bvisai kwandiri kushorwa nokuzvidzwa; Nokuti ndakachengeta zvipupuriro zvenyu.
119:23b.PSA.119.023 Machindawo akagara akandireva; Asi muranda wenyu akafungisisa mitemo yenyu.
119:24b.PSA.119.024 Zvipupuriro zvenyuwo zvinondifadza kwazvo, Ndizvo zvinondipa mano.
119:25b.PSA.119.025 Mweya wangu unonamatira guruva; Ndiponesei neshoko renyu.
119:26b.PSA.119.026 Ndakadudzira nzira dzangu, imi makandipindura; Ndidzidzisei mitemo yenyu.
119:27b.PSA.119.027 Ndidzidzisei ndinzwisise nzira yezvirevo zvenyu; Ipapo ndichafungisisa mabasa enyu anoshamisa.
119:28b.PSA.119.028 Mweya wangu unonyunguruka nokuremerwa; Ndisimbisei sezvinorehwa neshoko renyu.
119:29b.PSA.119.029 Bvisai kwandiri nzira yenhema; Nenyasha dzenyu mundipe murau wenyu.
119:30b.PSA.119.030 Ndakasanangura nzira yakatendeka; Ndakaisa zvamakatonga pamberi pangu.
119:31b.PSA.119.031 Ndinonamatira zvipupuriro zvenyu; Jehovha, regai kundinyadzisa.
119:32b.PSA.119.032 Ndichamhanya nenzira yemirairo yenyu, Kana munenge makurisa moyo wangu.
119:33b.PSA.119.033 Ndidzidzisei, Jehovha, nzira yemitemo yenyu; Ndigoichengeta kusvikira pakuguma.
119:34b.PSA.119.034 Ndipei njere, ndichengete murau wenyu; Zvirokwazvo, ndichauchengeta nomoyo wangu wose.
119:35b.PSA.119.035 Ndifambisei munzira yemirairo yenyu; Nokuti ndinoifarira kwazvo.
119:36b.PSA.119.036 Kweverai moyo wangu kuzvipupuriro zvenyu, Urege kukweverwa mukuchiva.
119:37b.PSA.119.037 Dzorai meso angu ndirege kuona zvisina maturo, Mundiponese panzira dzenyu.
119:38b.PSA.119.038 Simbisai Shoko renyu kumuranda wenyu, Rakakwanira vanokutyai.
119:39b.PSA.119.039 Bvisai kushoorwa kwangu kwandinotya, Nokuti zvamakatonga zvakanaka.
119:40b.PSA.119.040 Tarirai, ndakashuva zvirevo zvenyu; Ndiponesei mukururama kwenyu.
119:41b.PSA.119.041 Ngoni dzenyu ngadziuyewo kwandiri, Jehovha, Iko kuponesa kwenyu, sezvinoreva shoko renyu.
119:42b.PSA.119.042 Naizvozvo ndichagona kupindura anondishora; Nokuti ndinovimba neshoko renyu.
119:43b.PSA.119.043 Regai kubvisa shoko rezvokwadi chose pamuromo wangu; Nokuti ndakatarira zvamakatonga.
119:44b.PSA.119.044 Naizvozvo ndichasichengeta murau wenyu Nokusingaperi-peri.
119:45b.PSA.119.045 Ndichasifamba ndakasununguka, Nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu.
119:46b.PSA.119.046 Ndichataurawo zvipupuriro zvenyu pamberi pamadzimambo, Ndisinganyadziswi.
119:47b.PSA.119.047 Ndichazvifadza kwazvo nemirairo yenyu, Yandinoda.
119:48b.PSA.119.048 Ndichasimudzirawo maoko angu kumirairo yenyu, yandinoda; Ndichafungisisa mitemo yenyu.
119:49b.PSA.119.049 Rangarirai shoko renyu kumuranda wenyu, Nokuti makandimutsira tariro.
119:50b.PSA.119.050 Ndizvo zvinondinyaradza pakutambudzika kwangu; Nokuti shoko renyu rakandiponesa.
119:51b.PSA.119.051 Vanozvikudza vakandiseka kwazvo; Kunyange zvakadaro handina kutsauka pamurau wenyu.
119:52b.PSA.119.052 Ndakarangarira zvamakatonga kare-kare, Jehovha, Ndikazvinyaradza.
119:53b.PSA.119.053 Kutsamwa kukuru kwakandibata, Nokuda kwavakaipa vanorasha murau wenyu.
119:54b.PSA.119.054 Mitemo yenyu yaiva nziyo dzangu Mumba muutorwa hwangu.
119:55b.PSA.119.055 Ndakarangarira zita renyu, Jehovha, usiku, Ndikachengeta murau wenyu.
119:56b.PSA.119.056 Ndizvo zvandakanga ndinazvo, Nokuti ndakachengeta zvirevo zvenyu.
119:57b.PSA.119.057 Jehovha ndiye mugove wangu; Ndakati, ndichachengeta mashoko enyu.
119:58b.PSA.119.058 Ndakakumbira chiso chenyu nomoyo wangu wose; Ndinzwirei nyasha, sezvinoreva shoko renyu.
119:59b.PSA.119.059 Ndakafunga nzira dzangu, Ndikadzorera tsoka dzangu kuzvipupuriro zvenyu.
119:60b.PSA.119.060 Ndakakurumidza, handina kunonoka Kuchengeta mirairo yenyu.
119:61b.PSA.119.061 Mabote avakaipa akandimonera; Asi handina kukanganwa murau Venyu.
119:62b.PSA.119.062 Ndichamuka pakati pousiku kuti ndikuvongei Pamusoro pezvamakatonga zvakarurama.
119:63b.PSA.119.063 Ndiri shamwari yavose vanokutyai, Neyavanochengeta zvirevo zvenyu.
119:64b.PSA.119.064 Jehovha, pasi pazere nengoni dzenyu; Ndidzidzisei mitemo yenyu.
119:65b.PSA.119.065 Makaitira muranda wenyu zvakanaka, Jehovha, sezvinoreva shoko renyu.
119:66b.PSA.119.066 Ndidzidzisei ungwaru hwakanaka nenjere; Nokuti ndakatenda mirairo yenyu.
119:67b.PSA.119.067 Ndakati ndichigere kutambudzika ndikarashika; Asi zvino ndinochengeta shoko renyu.
119:68b.PSA.119.068 Imi makanaka, uye munoita zvakanaka; Ndidzidzisei mitemo yenyu.
119:69b.PSA.119.069 Vanozvikudza vakandipomera nhema; Ndichachengeta zvirevo zvenyu nomoyo wangu wose.
119:70b.PSA.119.070 moyo wavo wakakora samafuta; Asi ini ndinofarira murau wenyu kwazvo.
119:71b.PSA.119.071 Zvakanga zvakanaka kuti nditambudzike; Kuti ndidzidze mitemo yenyu.
119:72b.PSA.119.072 Murau womuromo wenyu wakanaka kwandiri Kukunda zviuru zvamazana zvendarama nesirivha.
119:73b.PSA.119.073 Maoko enyu akandiita nokundisimbisa; Ndipei kunzwisisa, kuti ndidzidze mirairo yenyu.
119:74b.PSA.119.074 Vanokutyai vachandiona ndokufara; Nokuti ndakatarira shoko renyu.
119:75b.PSA.119.075 Ndinoziva, Jehovha, kuti zvamakatonga zvakarurama, Uye kuti makanditambudza nokutendeka.
119:76b.PSA.119.076 Ndinokumbira kuti tsitsi dzenyu dzindinyaradze, Sezvamakareva kumuranda wenyu.
119:77b.PSA.119.077 Unyoro hwenyu ngabwuuye kwandiri, kuti ndirarame; Nokuti murau wenyu ndiwo mufaro wangu mukuru.
119:78b.PSA.119.078 Vanozvikudza ngavanyadziswe; nokuti vakandiitira zvakaipa ndisina mhosva; Asi ndichafungisisa zvirevo zvenyu.
119:79b.PSA.119.079 Vanokutyai ngavadzokere kwandiri, Vagoziva zvipupuriro zvenyu.
119:80b.PSA.119.080 moyo wangu ngaururame pamitemo yenyu; Kuti ndirege kunyadziswa.
119:81b.PSA.119.081 Mweya wangu unopanga kuponesa kwenyu; Asi ndinotarira shoko renyu.
119:82b.PSA.119.082 Meso angu anopera nokutsvaka shoko renyu, Ndichiti, Muchandinyaradza rinhiko?
119:83b.PSA.119.083 Nokuti ndava sehombodo iri muutsi; Kunyange zvakadaro handikanganwi mitemo yenyu.
119:84b.PSA.119.084 Mazuva omuranda wenyu manganiko? Muchatonga rinhiko vanonditambudza?
119:85b.PSA.119.085 Vanozvikudza vakandicherera hunza, Ivo vasingateereri murau wenyu.
119:86b.PSA.119.086 Mirairo yenyu yose yakatendeka; Vanonditambudza ndisina mhosva; ndibatsirei imi.
119:87b.PSA.119.087 Vakanga voda kundiparadza pasi; Asi handina kusiya zvirevo zvenyu.
119:88b.PSA.119.088 Ndiponesei nokuda kwounyoro hwenyu; Naizvozvo ndichachengeta chipupuriro chomuromo wenyu.
119:89b.PSA.119.089 Shoko renyu rakasimba kudenga Nokusingaperi, Jehovha.
119:90b.PSA.119.090 Kutendeka kwenyu kunosvika kumarudzi namarudzi; Imi makasimbisa pasi, panoramba pagere.
119:91b.PSA.119.091 Zvinoramba zvigere nanhasi sezvamakatema; Nokuti zvinhu zvose varanda venyu.
119:92b.PSA.119.092 Dai murau wenyu usina kuva mufaro wangu mukuru, Ndingadai ndakaparara nedambudziko rangu.
119:93b.PSA.119.093 Handingatongokanganwi zvirevo zvenyu; Nokuti makandiponesa nazvo.
119:94b.PSA.119.094 Ndiri wenyu, ndiponesei; Nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu.
119:95b.PSA.119.095 Vakaipa vakandigarira kuti vandiparadze; Asi ndichafunga zvipupuriro zvenyu.
119:96b.PSA.119.096 Ndakaona kuguma kwezvose zvakakwana, Asi murayiro wenyu mupamhi kwazvo.
119:97b.PSA.119.097 Haiwa, ndinoda murau wenyu seiko! Ndicho chandinofungisisa zuva rose.
119:98b.PSA.119.098 Mirairo yenyu inondiita akachenjera kupfuura vavengi vangu; Nokuti inogara neni nokusingaperi.
119:99b.PSA.119.099 Ndine njere kupfuura vadzidzisi vangu vose; Nokuti zvipupuriro zvenyu ndizvo zvandinofungisisa.
119:100b.PSA.119.100 Ndinonzwisisa kupfuura vakakwegura, Nokuti ndakachengeta zvirevo zvenyu.
119:101b.PSA.119.101 Ndakadzora tsoka dzangu panzira dzose dzakaipa; Kuti ndichengete shoko renyu.
119:102b.PSA.119.102 Handina kutsauka pane zvamatonga; Nokuti makandidzidzisa.
119:103b.PSA.119.103 Mashoko enyu anonaka seiko mumukanwa mangu! Zvirokwazvo, anokunda uchi mumuromo mangu!
119:104b.PSA.119.104 Pazvirevo zvenyu ndinowana njere; Saka ndinovenga nzira dzose dzenhema.
119:105b.PSA.119.105 Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, Nechiedza panzira yangu.
119:106b.PSA.119.106 Ndakapika, ndikazvisimbisa, Kuti ndichachengeta zvamakatonga zvakarurama.
119:107b.PSA.119.107 Ndinotambudzika kwazvo; Ndiponesei, Jehovha, neshoko renyu.
119:108b.PSA.119.108 Gamuchirai henyu Jehovha ndizvo zvandinokumbira zvipo zvomuromo wangu zvandinopa nomoyo wangu, Mundidzidzise zvamakatonga.
119:109b.PSA.119.109 Mweya wangu unongosiva muruoko rwangu; Kunyange zvakadaro handikanganwi murau wenyu.
119:110b.PSA.119.110 Vakaipa vakanditeyera musungo; Kunyange zvakadaro handina kutsauka pazvirevo zvenyu.
119:111b.PSA.119.111 Zvipupuriro zvenyu ndakazviita nhaka yangu nokusingaperi; Nokuti ndizvo zvinofadza moyo wangu.
119:112b.PSA.119.112 Ndakarerekera moyo wangu kuti uite mitemo yenyu, Nokusingaperi, kusvikira pakuguma.
119:113b.PSA.119.113 Ndinovenga vane moyo miviri; Asi ndinoda murau wenyu.
119:114b.PSA.119.114 Imi muri chivando changu nenhovo yangu; Ndinotarira shoko renyu.
119:115b.PSA.119.115 Ibvai kwandiri, imi munoita zvakaipa; Kuti ndichengete mirairo yaMwari wangu.
119:116b.PSA.119.116 Nditsigirei sezvinoreva shoko renyu, kuti ndirarame; Kuti ndirege kunyadziswa pakutarira kwangu.
119:117b.PSA.119.117 Nditsigirei, ndichengetwe, Ndigoramba ndichirangarira mitemo yenyu.
119:118b.PSA.119.118 Makazvidza vose vanotsauka pamitemo yenyu; Nokuti kunyengera kwavo inhema.
119:119b.PSA.119.119 Vakaipa vose vapasi munovagumisa sefuro; Saka ndinoda zvipupuriro zvenyu.
119:120b.PSA.119.120 Nyama yangu inobvunda nokukutyai; Ndinotya zvamakatonga.
119:121b.PSA.119.121 Ndakaita zvakatongwa nezvakarurama; Musandiisa kuvamanikidzi vangu.
119:122b.PSA.119.122 Ivai rubatso rwomuranda wenyu kuti ndiitirwe zvakanaka, Vanozvikudza ngavarege kundimanikidza.
119:123b.PSA.119.123 Meso angu apera nokutsvaka kuponesa kwenyu, Neshoko renyu rakarurama.
119:124b.PSA.119.124 Itirai muranda wenyu nounyoro hwenyu, Mundidzidzise mitemo yenyu.
119:125b.PSA.119.125 Ndiri muranda wenyu, ndipei njere; Kuti ndizive zvipupuriro zvenyu.
119:126b.PSA.119.126 Inguva yaJehovha yokubata nayo; Nokuti vakaputsa murau wenyu.
119:127b.PSA.119.127 Saka ndinoda mirairo yenyu Kupfuura ndarama, zvirokwazvo, kupfuura ndarama yakaisvonaka.
119:128b.PSA.119.128 Saka ndinoti, zvirevo zvenyu zvose pamusoro pezvose zvakarurama; Ndinovenga nzira dzose dzenhema.
119:129b.PSA.119.129 Zvipupuriro zvenyu zvinoshamisa; Saka mweya wangu unozvichengeta.
119:130b.PSA.119.130 Kuzarurwa kwamashoko enyu kunopa chiedza; Kunopa njere vasina mano.
119:131b.PSA.119.131 Ndakashamisa muromo wangu kwazvo, ndikatakwaira; Nokuti ndakashuva mirairo yenyu.
119:132b.PSA.119.132 Ringirirai kwandiri, mundinzwire nyasha, Sezvamunoitira vanoda zita renyu.
119:133b.PSA.119.133 Simbisirai kutsika kwangu mushoko renyu; Zvakaipa ngazvirege kutongova nesimba pamusoro pangu.
119:134b.PSA.119.134 Ndidzikunurei pakumanikidza kwomunhu; Naizvozvo ndichachengeta zvirevo zvenyu.
119:135b.PSA.119.135 Chiso chenyu ngachivhenekere muranda wenyu; Mundidzidzise mitemo yenyu.
119:136b.PSA.119.136 Nzizi dzemvura dzinoyerera pameso angu, Nokuti havachengeti murau wenyu.
119:137b.PSA.119.137 Imi makarurama, Jehovha, Nezvamakatonga zvakaruramawo.
119:138b.PSA.119.138 Makaraira zvipupuriro zvenyu nokururama Uye nokutendeka kukuru.
119:139b.PSA.119.139 Kushingaira kwangu kwakandipedza, Nokuti vadzivisi vangu vakakangwanwa mashoko enyu.
119:140b.PSA.119.140 Shoko renyu rakaisvonatswa; Saka muranda wenyu anorida.
119:141b.PSA.119.141 Ndiri muduku, ndakazvidzwa; Asi handikanganwi zvirevo zvenyu.
119:142b.PSA.119.142 Kururama kwenyu ndiko kururama kusingaperi, Nomurau wenyu izvokwadi.
119:143b.PSA.119.143 Nhamo nokumanikidzwa zvakandibata; Asi mirairo yenyu ndiwo mufaro wangu mukuru.
119:144b.PSA.119.144 Zvipupuriro zvenyu zvakarurama nokusingaperi; Ndipei njere, ndigorarama.
119:145b.PSA.119.145 Ndakadana nomoyo wangu wose; ndipindurei, Jehovha; Ndichachengeta mitemo yenyu.
119:146b.PSA.119.146 Ndakadana kwamuri; ndiponesei, Ndigochengeta zvipupuriro zvenyu.
119:147b.PSA.119.147 Ndakatangira mambakwedza ndikadana; Ndakatarira mashoko enyu.
119:148b.PSA.119.148 Meso angu akatangira nguva dzousiku, Kuti ndifungisise shoko renyu.
119:149b.PSA.119.149 Inzwai inzwi rangu nokuda kwounyoro hwenyu; Ndiponesei Jehovha, sezvinoreva zvamakatonga.
119:150b.PSA.119.150 Vanotevera zvakaipa voswedera pedo; Vari kure nomurau wenyu.
119:151b.PSA.119.151 Imi muri pedo, Jehovha; Mirairo yenyu izvokwadi.
119:152b.PSA.119.152 Kubva kare ndakaziva nezvipupuriro zvenyu Kuti makazviteya nokusingaperi.
119:153b.PSA.119.153 Tarirai dambudziko rangu, mundirwire; Nokuti handikanganwi murau wenyu.
119:154b.PSA.119.154 Ndireverei mhosva yangu, mundidzikunure; Ndiponesei sezvinoreva shoko renyu.
119:155b.PSA.119.155 Kuponeswa kuri kure navakaipa; Nokuti havatsvaki mitemo yenyu.
119:156b.PSA.119.156 Ngoni dzenyu izhinji, Jehovha; Ndiponesei sezvinoreva zvamakatonga.
119:157b.PSA.119.157 Vatambudzi vangu navadzivisi vangu vazhinji; Kunyange zvakadaro handina kutsauka pazvipupuriro zvenyu.
119:158b.PSA.119.158 Ndakaona vanyengedzeri, ndikavasema; Nokuti havana kuchengeta shoko renyu.
119:159b.PSA.119.159 Fungai kuti ndinoda zvirevo zvenyu; Ndiponesei, Jehovha, nokuda kwounyoro hwenyu.
119:160b.PSA.119.160 Unganidzo yeshoko renyu izvokwadi; Zvose zvamakatonga, zvakarurama, zvinogara nokusingaperi.
119:161b.PSA.119.161 Machinda akanditambudza ndisina mhosva; Asi moyo wangu unotya shoko renyu.
119:162b.PSA.119.162 Ndinofarira shoko renyu kwazvo, Somunhu awana zvizhinji zvakapambwa.
119:163b.PSA.119.163 Nhema ndinodzivenga nokudzisema; Asi murau wenyu ndinouda.
119:164b.PSA.119.164 Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva, Nokuda kwezvakarurama zvamakatonga.
119:165b.PSA.119.165 Vanoda murau wenyu vane rugare rukuru; Hapana chinovagumbusa.
119:166b.PSA.119.166 Ndakatarira kuponesa kwenyu, Jehovha, Ndikaita mirairo yenyu.
119:167b.PSA.119.167 Mweya wangu wakachengeta zvipupuriro zvenyu; Ndinozvida kwazvo.
119:168b.PSA.119.168 Ndakachengeta zvirevo zvenyu nezvipupuriro zvenyu; Nokuti nzira dzangu dzose dziri pamberi penyu.
119:169b.PSA.119.169 Kudana kwangu ngakusvike pamberi penyu, Jehovha; Ndipei njere sezvinoreva shoko renyu.
119:170b.PSA.119.170 Kukumbira kwangu ngakusvike pamberi penyu; Ndirwirei sezvinoreva shoko renyu.
119:171b.PSA.119.171 Miromo yangu ngairumbidze; Nokuti munondidzidzisa mitemo yenyu.
119:172b.PSA.119.172 Rurimi rwangu ngaruimbe shoko renyu; Nokuti mirairo yenyu yose yakarurama.
119:173b.PSA.119.173 Ruoko rwenyu ngarundibatsire; Nokuti ndakasanangura zvirevo zvenyu.
119:174b.PSA.119.174 Ndakashuva kuponesa kwenyu, Jehovha; Murau wenyu ndiwo mufaro wangu mukuru.
119:175b.PSA.119.175 Mweya wangu ngaurarame, ugokurumbidzai; Nezvamakatonga ngazvindibatsire.
119:176b.PSA.119.176 Ndakadzungaira segwai rakarashika; tsvakai muranda wenyu; Nokuti handikanganwi mirairo yenyu.
120
120:1b.PSA.120.001 Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, Iye akandipindura.
120:2b.PSA.120.002 Rwirai mweya wangu, Jehovha, pamiromo inoreva nhema, Naparurimi runonyengedzera.
120:3b.PSA.120.003 Iwe uchapiweiko, chinyi chichawedzerwa kwauri, Iwe rurimi runonyengedzera?
120:4b.PSA.120.004 Miseve inopinza yeanesimba, Namazimbe anopfuta omurara.
120:5b.PSA.120.005 Ndine ropa rakaipa zvandiri mutorwa paMesheki, Zvandigere pamatende eKedhari!
120:6b.PSA.120.006 Mweya wangu wakagara nguva refu Neanovenga rugare.
120:7b.PSA.120.007 Ini ndinoda rugare; Asi kana ndichitaura, ivo vanotsvaka kurwa.
121
121:1b.PSA.121.001 Ndichasimudzira meso angu kumakomo; Kubatsirwa kwangu kuchabvepiko?
121:2b.PSA.121.002 Kubatsirwa kwangu kunobva kuna Jehovha, Wakaita kudenga napasi.
121:3b.PSA.121.003 Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke; Muchengeti wako haangakotsiri.
121:4b.PSA.121.004 Tarirai, muchengeti waIsiraeri Haangakotsiri kana kuvata.
121:5b.PSA.121.005 Jehovha ndiye muchengeti wako; Jehovha ndiye mumvuri wako paruoko rwako rworudyi.
121:6b.PSA.121.006 Zuva haringakubayi masikati, Nomwedzi usiku.
121:7b.PSA.121.007 Jehovha achakuchengeta pazvakaipa zvose; Achachengeta mweya wako.
121:8b.PSA.121.008 Jehovha achakuchengeta pakubuda kwako napakupinda kwako, Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi.
122
122:1b.PSA.122.001 Ndakafara panguva yavakati kwandiri, Hendei kumba kwaJehovha.
122:2b.PSA.122.002 Tsoka dzedu dzimire Pakati pamasuo ako, Jerusaremu;
122:3b.PSA.122.003 Jerusaremu, iwe wakavakwa seguta rakasanganiswa zvakanaka;
122:4b.PSA.122.004 Ndiko kunokwira ndudzi, ndudzi dzaJehovha, Sezvakarairwa Isiraeri, Kuti vavonge zita raJehovha.
122:5b.PSA.122.005 Nokuti ndiko kwakagadzwa zvigaro zvokutonga, Zvigaro zvoushe zveimba yaDhavhidhi.
122:6b.PSA.122.006 kumbirirai Jerusaremu rugare; Vanokudai, vachakomborerwa.
122:7b.PSA.122.007 Rugare ngaruve mukati mamasvingo ako, Nokufarikana mukati medzimba dzako dzoushe.
122:8b.PSA.122.008 Nokuda kwehama dzangu neshamwari dzangu, Ndichati zvino, Rugare ngaruve mukati mako.
122:9b.PSA.122.009 Nokuda kweimba yaJehovha Mwari wedu Ndichakutsvakira zvakanaka.
123
123:1b.PSA.123.001 Ndinosimudzira meso angu kwamuri, Iyemi, munogara kudenga.
123:2b.PSA.123.002 Tarirai, meso avaranda sezvaanotarira ruoko rwatenzi wavo, Uye meso omurandakadzi sezvaanotarira ruoko rwatenzikadzi wake; Saizvozvo meso edu anotarira kuna Jehovha Mwari wedu, Kusvikira atinzwira nyasha.
123:3b.PSA.123.003 Tinzwirei nyasha, Jehovha, tinzwirei nyasha; Nokuti tapera kwazvo nokuzvidzwa.
123:4b.PSA.123.004 Mweya wedu wapera chose Nokushora kwavanogara havo zvakanaka, Uye noruzvidzo rwavanozvikudza.
124
124:1b.PSA.124.001 Dai Jehovha asaiva nesu, Isiraeri ngavadaro;
124:2b.PSA.124.002 Dai Jehovha asaiva nesu, Panguva yatakamukirwa navanhu;
124:3b.PSA.124.003 Vangadai vakatimedza tiri vapenyu, Panguva yatakamukirwa nehasha dzavo;
124:4b.PSA.124.004 Mvura zhinji ingadai yakatifukidza, Rwizi rungadai rwakapfuura napamusoro pomweya wedu.
124:5b.PSA.124.005 Mvura zhinji, inozvikudza, ingadai yakapfuura napamusoro pomweya wedu.
124:6b.PSA.124.006 Jehovha ngaarumbidzwe, Iye asina kutiisa kuti tiparadzwe nameno avo.
124:7b.PSA.124.007 Mweya wedu wapukunyuka seshiri parugombe rwomuteyi weshiri; Rugombe rwadambuka, isu tapukunyuka.
124:8b.PSA.124.008 Kubatsirwa kwedu kuri muzita raJehovha, Akaita kudenga napasi.
125
125:1b.PSA.125.001 Vanovimba naJehovha Vakafanana negomo reZiyoni, risingazununguswi, asi rimire nokusingaperi.
125:2b.PSA.125.002 Sokupoteredzwa kweJerusaremu namakomo, Saizvozvo Jehovha unopoteredza vanhu vake, Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi.
125:3b.PSA.125.003 Nokuti tsvimbo youshe yezvakaipa haingagari panhaka yavakarurama; Kuti vakarurama varege kutambanudzira maoko avo kune zvakaipa.
125:4b.PSA.125.004 Jehovha, itirai vakanaka zvakanaka, Navane moyo yakarurama.
125:5b.PSA.125.005 Asi kana vari vanhu vanotsaukira kunzira dzavo dzakaminama, Jehovha achavaparadza pamwechete navaiti vezvakaipa. Isiraeri ngaave norugare!
126
126:1b.PSA.126.001 Jehovha panguva yaakadzosa vatapwa veZiyoni, Isu takanga takafanana navanorota hope.
126:2b.PSA.126.002 Panguva iyo muromo wedu wakanga uzere nokuseka, Norurimi rwedu nokuimba; Ipapo pakati pavahedheni vakati, Jehovha akavaitira zvinhu zvikuru;
126:3b.PSA.126.003 Jehovha wakatiitira zvinhu zvikuru; Isu tinofara.
126:4b.PSA.126.004 Dzosai vatapwa vedu, Jehovha, sehove panyika yeNyasi.
126:5b.PSA.126.005 Vanodzvara nemisodzi vachakohwa nomufaro.
126:6b.PSA.126.006 Anofamba-famba, achichema, akatakura tsama yembeu, achadzoka nomufaro akatakura zvisote zvake.
127
127:1b.PSA.127.001 Kana Jehovha asingavaki imba, Vavaki vayo vanobata pasina; Kana Jehovha asingachengeti guta, Murindi anorindira pasina.
127:2b.PSA.127.002 Hazvina maturo kuti mumuke mangwanani nokunonoka kundovata, Nokudya zvokudya zvamakatamburira; Nokuti anopa vadikanwi vake izvozvo vavete.
127:3b.PSA.127.003 Tarirai, vana inhaka inobva kuna Jehovha; Chibereko chechizvaro ndiwo mubayiro waanopa.
127:4b.PSA.127.004 Semiseve muruoko rwemhare, Ndizvo zvakaita vana voujaya.
127:5b.PSA.127.005 Unomufaro iye murume anegoba rizere navo; Havanganyadziswi, Kana vachitaurirana navavengi vavo pasuo.
128
128:1b.PSA.128.001 Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha, Vanofamba munzira dzake.
128:2b.PSA.128.002 Nokuti iwe uchadya zvawakabatira namaoko ako; Uchava nomufaro, uye zvichava zvakanaka newe.
128:3b.PSA.128.003 Mukadzi wako uchava somuzambiringa, unobereka zvakanaka, mukati meimba yako; Vana vako vachava semiti yemiorivhi, vakakomberedza tafura yako.
128:4b.PSA.128.004 Tarirai, murume anotya Jehovha Acharopafadzwa saizvozvo.
128:5b.PSA.128.005 Jehovha achakuropafadza ari paZiyoni; Uchaona kukomborerwa kweJerusaremu mazuva ose oupenyu hwako.
128:6b.PSA.128.006 Zvirokwazvo, uchaona vana vavana vako. Isiraeri ngaave norugare.
129
129:1b.PSA.129.001 Vakanditambudza kazhinji kubva pauduku hwangu, Isiraeri ngaadaro zvino;
129:2b.PSA.129.002 Vakanditambudza kazhinji kubva pauduku hwangu; Kunyange zvakadaro havana kundikunda.
129:3b.PSA.129.003 Varimi vakarima pamusana wangu; Vakaita mihoronga yavo mirefu.
129:4b.PSA.129.004 Jehovha akarurama; Akaguranya mabote avakaipa.
129:5b.PSA.129.005 Ngavanyadziswe, vadzoserwe shure, Ivo vose vanovenga Ziyoni.
129:6b.PSA.129.006 Ngavave souswa pamatenga eimba, Hunooma husati hwakura;
129:7b.PSA.129.007 Mucheki haazadzi ruoko rwake nahwo, Uye anosunga zvisote, fungatwa rake.
129:8b.PSA.129.008 Navanopfuura havangati, Jehovha ngaakuropafadzei; Tinokuropafadzai nezita raJehovha.
130
130:1b.PSA.130.001 Ndakadanidzira kwamuri, Jehovha, ndiri makadzika.
130:2b.PSA.130.002 Ishe inzwai inzwi rangu; Nzeve dzenyu ngadziteerere inzwi rokukumbira kwangu.
130:3b.PSA.130.003 Dai imi Jehovha, mairangarira zvisakarurama, Ndianiko airamba amire, Ishe?
130:4b.PSA.130.004 Asi kukanganwirwa kuriko kwamuri, Kuti vanhu vakutyei.
130:5b.PSA.130.005 Ndinorindira Jehovha, mweya wangu unorindira; Ndinotarira shoko rake.
130:6b.PSA.130.006 Mweya wangu unorindira Ishe, Kupfuura varindi vanorindira rungwanani; Zvirokwazvo, kupfuura varindi vanorindira rungwanani.
130:7b.PSA.130.007 Imi Isiraeri, tarirai kuna Jehovha; .Sokuti kuna Jehovha kune ngoni, Uye kwaari kunokudzikunurwa kukuru.
130:8b.PSA.130.008 Iye achadzikunura Isiraeri Panezvisakarurama zvake zvose.
131
131:1b.PSA.131.001 Jehovha, moyo wangu hauzvikudzi, meso angu haana manyawi; Handine hanya nezvinhu zvikuru-kuru, Kana nezvinhu zvinondikurira.
131:2b.PSA.131.002 Zvirokwazvo ndakavaraidza mweya wangu nokuunyaradza; Somwana wakarumurwa ari pana mai vake, Mweya wangu wakaita kwandiri somwana akarumurwa.
131:3b.PSA.131.003 Imi Isiraeri, tarirai kuna Jehovha Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi.
132
132:1b.PSA.132.001 Jehovha, rangarirai Dhavhidhi Nedambudziko rake rose;
132:2b.PSA.132.002 Namapikiro ake kuna Jehovha, Nokupika kuna Wamasimba waJakobho, achiti,
132:3b.PSA.132.003 Zvirokwazvo handingapindi mutende reimba yangu, Kana kukwira pamubhedha wandakawadzirwa;
132:4b.PSA.132.004 Handingatenderi meso angu kuvata, Kana mafungiro angu kukotsira;
132:5b.PSA.132.005 Kusvikira ndawanira Jehovha nzvimbo, Netabhenakeri dzaWamasimba waJakobho.
132:6b.PSA.132.006 Tarirai, takazvinzwa muEfurata; Takazviwana pasango reJaari.
132:7b.PSA.132.007 Tichapinda mutabhenakeri dzake; Tichanamata pachitsiko chetsoka dzake.
132:8b.PSA.132.008 Simukai Jehovha, mupinde pamungazorora; Imi, neareka yesimba renyu.
132:9b.PSA.132.009 Vapiristi venyu ngavafukidzwe nokururama; Uye vatsvene venyu ngavapururudze nomufaro .
132:10b.PSA.132.010 Nokuda kwaDhavhidhi muranda wenyu Regai kuramba chiso chomuzodziwa wenyu.
132:11b.PSA.132.011 Jehovha akapika kuna Dhavhidhi; Haangashanduki pazviri, achiti, Zvibereko zvomuviri wako ndizvo zvandichaisa pachigaro chako choushe.
132:12b.PSA.132.012 Kana vana vako vachichengeta sungano yangu Nezvipupuriro zvangu zvandichavadzidzisa, Navana vavowo vachagara pachigaro chako choushe nokusingaperi.
132:13b.PSA.132.013 Nokuti Jehovha wakasanangura Ziyoni; Akarida kuti huve ugaro hwake.
132:14b.PSA.132.014 Pano ndipo pandinozorora nokusingaperi; Ndichagara pano; nokuti ndakapada.
132:15b.PSA.132.015 Ndicharopafadza zvokudya zvaro kwazvo; Ndichagutisa varombo varo nezvokudya.
132:16b.PSA.132.016 Vapirisiti varo ndichavafukidzawo noruponeso; Vatsvene varo vachapururudza nomufaro.
132:17b.PSA.132.017 Ipapo ndichameresera Dhavhidhi runyanga; Ndakagadzirira muzodzwa wangu mwenje.
132:18b.PSA.132.018 Vavengi vake ndichavafukidza nokunyadziswa; Asi korona yake ichapenya pamusoro pake.
133
133:1b.PSA.133.001 Tarirai, kunaka kwazvo nokufadza kwazvo Kana hama dzichigara pamwechete norugare.
133:2b.PSA.133.002 Zvakafanana namafuta anokosha ari pamusoro, Anoyerera pandebvu, Idzo ndebvu dzaAroni; Anoburukira kusvikira pamipendero yenguvo dzake;
133:3b.PSA.133.003 Zvakafanana nedova reHerimoni, Rinoburukira pamakomo eZiyoni; Nokuti ndipo Jehovha paakaraira kuropafadza kwake, Ndihwo upenyu husingaperi.
134
134:1b.PSA.134.001 Tarirai, rumbidzai Jehovha, imi varanda vose vaJehovha, Imi munomira usiku mumba maJehovha.
134:2b.PSA.134.002 Simudzirai maoko enyu kunzvimbo tsvene, Murumbidze Jehovha.
134:3b.PSA.134.003 Jehovha ngaakuropafadze ari paZiyoni; Iye akasika kudenga napasi.
135
135:1b.PSA.135.001 Hareruya! Rumbidzai zita raJehovha; Murumbidzei, imi varanda vaJehovha;
135:2b.PSA.135.002 Imi mumire mumba maJehovha, Muvazhe dzeimba yaMwari wedu.
135:3b.PSA.135.003 Rumbidzai Jehovha; nokuti Jehovha akanaka; Imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza; nokuti ndizvo zvinofadza.
135:4b.PSA.135.004 Nokuti Jehovha akazvisanangurira Jakobho, NaIsiraeri kuti ave fuma yake chaiyo.
135:5b.PSA.135.005 Nokuti ndinoziva kuti Jehovha . mukuru, Uye kuti Ishe wedu ari kumusoro kwavamwari vose.
135:6b.PSA.135.006 Zvose zvaakada kuita Jehovha akazviita, Kudenga napasi, nomumakungwa napakadzika pose.
135:7b.PSA.135.007 Anokwidza makore pamigumo yapasi; Anoita mheni kuuyisa mvura; Anobudisa mhepo panovigwa fuma yake.
135:8b.PSA.135.008 Ndiye akaparadza matangwe Avanhu neezvipfuwo.
135:9b.PSA.135.009 Akatuma zviratidzo nezvishamiso mukati mako, iwe Ijipiti, Pamusoro paFarao napamusoro pavaranda vake vose.
135:10b.PSA.135.010 Ndiye akaparadza ndudzi zhinji, Nokuuraya madzimambo anesimba.
135:11b.PSA.135.011 Sihoni mambo wavaAmori, NaOgi mambo weBhashani, Noushe hwose hweKanani;
135:12b.PSA.135.012 Akapa nyika yavo ive nhaka, Ive nhaka yaIsiraeri vanhu vake.
135:13b.PSA.135.013 Zita renyu, Jehovha, riripo nokusingaperi; Munorangarirwa Jehovha, kusvikira kumarudzi namarudzi.
135:14b.PSA.135.014 Nokuti Jehovha achatonga vanhu vake, Nokuzvidemba pamusoro pavaranda vake.
135:15b.PSA.135.015 Zvifananidzo zvavahedheni isirivha nendarama, Mubato wamaoko avanhu.
135:16b.PSA.135.016 Zvinemiromo, asi hazvitauri; Nameso zvinawo, asi hazvioni;
135:17b.PSA.135.017 Zvinenzeve, asi hazvinzwi; Hakuna kufema pamiromo yazvo.
135:18b.PSA.135.018 Vanozviita vachafanana nazvo; Zvirokwazvo, navose vanovimba nazvo.
135:19b.PSA.135.019 Imi veimba yalsiraeri, rumbidzai Jehovha; Imi veimba yaAroni, rumbidzai Jehovha;
135:20b.PSA.135.020 Imi veimba yaRevhi, rumbidzai Jehovha; Imi vanotya Jehovha, rumbidzai Jehovha.
135:21b.PSA.135.021 Jehovha ngaarumbidzwe paZiyoni, Iye agere Jerusaremu. Hareruya!
136
136:1b.PSA.136.001 Vongai Jehovha, nokuti akanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
136:2b.PSA.136.002 Vongai Mwari wavamwari; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
136:3b.PSA.136.003 Vongai Ishe wamadzishe; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
136:4b.PSA.136.004 Iye oga, anoita zvishamiso zvikuru; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
136:5b.PSA.136.005 Iye, akaita kudenga-denga nenjere dzake; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
136:6b.PSA.136.006 Iye akatatamura pasi pamusoro pemvura zhinji; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
136:7b.PSA.136.007 Iye akaita zviedza zvikuru; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
136:8b.PSA.136.008 Zuva, kuti ribate ushe masikati; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
136:9b.PSA.136.009 Mwedzi nenyeredzi, kuti zvibate ushe usiku; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
136:10b.PSA.136.010 Iye, akarova veIjipiti pamatangwe avo; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
136:11b.PSA.136.011 Akabudisa Isiraeri pakati pavo; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
136:12b.PSA.136.012 Nechanza chine simba, uye noruoko rwakatambanudzwa; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
136:13b.PSA.136.013 Iye akaparadzanisa Gungwa Dzvuku napakati; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
136:14b.PSA.136.014 Akayambusa Isiraeri nomukati maro; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
136:15b.PSA.136.015 Akawisira Farao nehondo yake muGungwa Dzvuku; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
136:16b.PSA.136.016 Iye, akaperekedza vanhu vake murenje; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
136:17b.PSA.136.017 Iye, akaparadza madzimambo makuru; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
136:18b.PSA.136.018 Akauraya madzimambo akakurumbira; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
136:19b.PSA.136.019 Sihoni mambo wavaAmori; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
136:20b.PSA.136.020 NaOgi mambo weBhashani; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
136:21b.PSA.136.021 Akapa nyika yavo ive nhaka; ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
136:22b.PSA.136.022 Ive nhaka yaIsiraeri muranda wake; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
136:23b.PSA.136.023 Iye, akatirangarira paurombo hwedu; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;
136:24b.PSA.136.024 Akatirwira pavadzivisi vedu; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
136:25b.PSA.136.025 Ndiye anopa zvinhu zvose zvokudya zvazvo; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
136:26b.PSA.136.026 Vongai Mwari wokudenga; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
137
137:1b.PSA.137.001 Panzizi dzeBhabhironi, Ndipo patakagara pasi, zvirokwazvo tikachema, Pakurangarira kwedu Ziyoni.
137:2b.PSA.137.002 Pamikonachando mukati madzo Takaturika mbira dzedu.
137:3b.PSA.137.003 Nokuti ipapo avo vakatitapa vakakumbira kwatiri mashoko orwiyo, Vakatiparadza vakakumbira mufaro, vachiti, Tiimbireiwo rwiyo rweZiyoni.
137:4b.PSA.137.004 Tingaimba seiko rwiyo rwaJehovha Munyika yavatorwa?
137:5b.PSA.137.005 Kana ndikakukanganwa, iwe Jerusaremu, Ruoko rwangu rworudyi ngarukanganwe umhizha hwarwo.
137:6b.PSA.137.006 Rurimi rwangu ngarunamatire kumatadzo angu, Kana ndikarega kukurangarira; Kana ndisingati Jerusaremu Ndiwo mufaro wangu mukuru unopfuura zvose.
137:7b.PSA.137.007 Rangarirai Jehovha, murove vana vaEdhomu Pamusoro pezuva reJerusaremu; Ivo, vakati, Paradzai, paradzai, Kusvikira panheyo dzaro.
137:8b.PSA.137.008 Iwe mukunda weBhabhironi, iwe unobva woparadzwa; Munhu uyo achava nomufaro, achakutsivira Sezvawakatiitira iwe.
137:9b.PSA.137.009 Munhu uyo achava nomufaro, achatora pwere dzako Nokudzirovera padombo.
138
138:1b.PSA.138.001 Ndichakuvongai nomoyo wangu wose; Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza pamberi pavamwari.
138:2b.PSA.138.002 Ndichanamata ndakatarira kutemberi yenyu tsvene, Nokuvonga zita renyu nokuda kwounyoro hwenyu nokutendeka kwenyu; Nokuti makakurisa shoko renyu kupfuura zita renyu rose.
138:3b.PSA.138.003 Pazuva randakadana makandipindura, Makandisimbisa nesimba pamweya wangu.
138:4b.PSA.138.004 Madzimambo ose enyika achakuvongai, Jehovha, Nokuti vakanzwa mashoko omuromo wenyu.
138:5b.PSA.138.005 Zvirokwazvo, vachaimba vachireva nzira dzaJehovha; Nokuti kubwinya kwaJehovha kukuru.
138:6b.PSA.138.006 Nokuti Jehovha ari kumusoro, kunyange zvakadaro ane hanya neanozvininipisa; Asi anamanyawi Jehovha anomuziva ari kure.
138:7b.PSA.138.007 Kana ndichifamba pakati penhamo, imi muchandiponesa; Muchatambanudza ruoko rwenyu kudzivisa kutsamwa kwavavengi vangu, Ruoko rwenyu rworudyi ruchandiponesa.
138:8b.PSA.138.008 Jehovha achandikwanisira zvinhu zvangu; Ngoni dzenyu, Jehovha, dzinogara nokusingaperi; Musarega mabasa amaoko enyu.
139
139:1b.PSA.139.001 Jehovha, imi makandinzvera, nokundiziva.
139:2b.PSA.139.002 Munoziva kugara kwangu pasi nokusimuka kwangu, Munonzwisisa kufunga kwangu muri kure.
139:3b.PSA.139.003 Munocherekedza kufamba kwangu nokuvata kwangu pasi, Munoziva nzira dzangu dzose.
139:4b.PSA.139.004 Nokuti shoko risati ravapo parurimi rwangu, Tarirai, imi Jehovha, matoriziva rose.
139:5b.PSA.139.005 Makandikomberedza shure kwangu nemberi, Nokuisa ruoko rwenyu pamusoro pangu.
139:6b.PSA.139.006 Kuziva kwakadai kunondishamisa kwazvo; Zviri kumusoro, handigoni kusvikira kwazviri.
139:7b.PSA.139.007 Ndingaendepiko ndibve pamweya wenyu? Kana ndingatizirepiko ndibve pamberi penyu?
139:8b.PSA.139.008 Kana ndingakwira kudenga muripo; Kana ndikazviwarira nhovo paSheori, tarirai muripowo.
139:9b.PSA.139.009 Kana ndikabhururuka namapapiro amangwanani, Ndikandogara pamigumo yegungwa;
139:10b.PSA.139.010 Naipapowo ruoko rwenyu ruchandifambisa, Ruoko rwenyu rworudyi ruchandifambisa,
139:11b.PSA.139.011 Kana ndikati, Zvirokwazvo, rima richandifukidza, Chiedza chinondikomberedza chichava sousiku;
139:12b.PSA.139.012 Kunyange rima haringandivanzi kwamuri, Asi usiku hunopenya samasikati; Rima nechiedza zvakafanana.
139:13b.PSA.139.013 Nokuti imi makaumba itsvo dzangu; Makandiruka mudumbu ramai vangu.
139:14b.PSA.139.014 Ndichakuvongai; nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa unoshamisa; Mabasa enyu anoshamisa; Mweya wangu unozviziva kwazvo.
139:15b.PSA.139.015 Mapfupa angu akanga asina kuvanzwa kwamuri, Panguva yandakaitwa pakavanda, Pakuumbwa kwangu nenjere panzvimbo dzezasi dzapasi.
139:16b.PSA.139.016 Meso enyu akaona muviri wangu uchigere kukwaniswa,Zvose zvakanga zvakanyorwa murugwaro rwenyu,zuva rimwe nerimwe rokuumbwa kwazvo, Kusati kwava nechimwe chazvo.
139:17b.PSA.139.017 Mirangariro yenyu, Mwari, inodikanwa sei neni! Yakakura sei pakuverengwa kwayo!
139:18b.PSA.139.018 Kana ndikaiverenga, ingapfuura jecha pakuwanda; Kana ndichipepuka, ndichinemi.
139:19b.PSA.139.019 Dai muchiuraya henyu vakaipa, Mwari; Naizvozvo ibvai kwandiri, imi vanhu veropa.
139:20b.PSA.139.020 Nokuti vanokutaurirai zvakaipa, Vavengi venyu vanoreva zita renyu pasina.
139:21b.PSA.139.021 Ko ini handivengi avo vanokuvengai here, Jehovha? Handine shungu here navanokumukirai?
139:22b.PSA.139.022 Ndinovavenga nembengo huru; Vava vavengi vangu.
139:23b.PSA.139.023 Ndinzverei, Mwari, muzive moyo wangu; Ndiidzei, muzive ndangariro dzangu;
139:24b.PSA.139.024 Mutarire kana panenzira yakaipa mandiri, Mundifambise munzira isingaperi.
140
140:1b.PSA.140.001 Ndirwirei Jehovha pamunhu wakaipa, Ndichengetei pamunhu anehasha;
140:2b.PSA.140.002 Ivo, vanofunga zvakaipa mumoyo yavo; Vanogara vachimutsa kurwa.
140:3b.PSA.140.003 Vakarodza rurimi rwavo senyoka; Uturu hwechiva huri pasi pemiromo yavo.
140:4b.PSA.140.004 Ndichengetei, Jehovha, pamaoko owakaipa; Ndichengetei pamunhu anomanikidza; Vanofunga mano okugumburisa tsoka dzangu.
140:5b.PSA.140.005 Vanozvikudza vakandivanzira musungo namabote; Vakadzika mumbure parutivi rwenzira, Vakanditeyera rugombe.
140:6b.PSA.140.006 Ndakati kuna Jehovha, Mwari wangu; Teererai, Jehovha, munzwe inzwi rokukumbira kwangu.
140:7b.PSA.140.007 Mwari Ishe, ndimi simba rokuponeswa kwangu, Makafukidza musoro wangu pazuva rokurwa.
140:8b.PSA.140.008 Jehovha, regai kupa wakaipa zvaanotsvaka; Musapfuudza zano rake rakaipa; kuti varege kuzvikudza.
140:9b.PSA.140.009 Kana uri musoro wavanondikomba, Zvakashata zvemiromo yavo imene ngazvivafukidze.
140:10b.PSA.140.010 Mazimbe omoto, anopfuta, ngaawire pamusoro pavo; Ngavakandirwe mumoto; Nomumakomba akadzika, kuti varege kumukazve.
140:11b.PSA.140.011 Munhu, anamakuhwa, haangasimbiswi pasi; Zvakaipa zvichavhima munhu anomanikidza kuti zvimuparadze.
140:12b.PSA.140.012 Ndinoziva kuti Jehovha achagadzira mhosva yavanotambudzika, Nokururamisira vashaiwi.
140:13b.PSA.140.013 Zvirokwazvo, vakarurama vachavonga zita renyu; Vanemoyo yakarurama vachagara pamberi penyu.
141
141:1b.PSA.141.001 Jehovha, ndakadana kwamuri; kurumidzai kuuya kwandiri; Teererai inzwi rangu kana ndichidana kwamuri.
141:2b.PSA.141.002 Munyengetero wangu ngauve pamberi penyu sezvinonhuwira; Nokusimudzwa kwamaoko angu sechipiriso chamadekwana.
141:3b.PSA.141.003 Jehovha, isai murindi pamberi pomuromo wangu; Chengetai mukova wemiromo yangu.
141:4b.PSA.141.004 Regai kurerekesa moyo wangu kuchinhu chakaipa, Kuti ndiite zvakaipa Pamwechete navanhu vanoita zvisina kururama.
141:5b.PSA.141.005 Akarurama ngaandirove netsitsi; Ngaandituke, ave mafuta pamusoro wangu; Musoro wangu haungaarambi; Nokuti ndicharamba ndichinyengetera pamusoro pokuipa kwavo.
141:6b.PSA.141.006 Vatongi vavo vakawisirwa kumawere edombo; Vachanzwa kuti mashoko angu akanaka.
141:7b.PSA.141.007 Sezvakaita pasi kana parimwa nokuparurwa, Saizvozvo mapfupa edu akaparadzirwa pamuromo weSheori.
141:8b.PSA.141.008 Nokuti meso angu anotarira kwamuri, Jehovha Ishe; Ndinovimba nemi; regai kudurura upenyu hwangu.
141:9b.PSA.141.009 Ndichengetei pamusungo wavakanditeyera, Naparugombe rwavanoita zvisina kururama.
141:10b.PSA.141.010 Vakaipa ngavabatwe nemimbure yavo vamene, Asi ini ndidarike hangu.
142
142:1b.PSA.142.001 Ndinodanidzira nenzwi rangu kuna Jehovha; Nenzwi rangu ndinonyengetera kuna Jehovha.
142:2b.PSA.142.002 Ndinodurura kuchema kwangu pamberi pake; Ndinomuzivisa kutambudzika kwangu.
142:3b.PSA.142.003 Panguva yokumanikidzwa kwomweya wangu mukati mangu, makaziva nzira yangu. Panzira yandinofamba nayo vakandivanzira musungo.
142:4b.PSA.142.004 Tarirai kurudyi rwangu, muone; nokuti hakuna munhu anondiziva; Ndashaiwa utiziro; hakuna munhu ane hanya nomweya wangu.
142:5b.PSA.142.005 Ndakadanidzira kwamuri, Jehovha; Ndakati, Ndimi utiziro hwangu, Nomugove wangu panyika yavapenyu.
142:6b.PSA.142.006 Teererai kudanidzira kwangu; nokuti ndinoshaiwa simba kwazvo; Ndirwirei panavanonditambudza; nokuti vanondikurira nesimba.
142:7b.PSA.142.007 Budisai mweya wangu patorongo, kuti ndivonge zita renyu; Vakarurama vachandipoteredza; Nokuti muchandiitira zvakanaka kwazvo.
143
143:1b.PSA.143.001 Inzwai munyengetero wangu, Jehovha; teererai kukumbira kwangu; Ndipindurei nokutendeka kwenyu nokururama kwenyu.
143:2b.PSA.143.002 Regai kutonga muranda wenyu; Nokuti hapana munhu mumwe mupenyu angaruramiswa pamberi penyu.
143:3b.PSA.143.003 Nokuti muvengi akatambudza mweya wangu; Akatsikirira upenyu hwangu pasi; Akandigarisa panzvimbo dzine rima, savanhu vakanguva vafa.
143:4b.PSA.143.004 Saka mweya wangu wavhunduswa mukati mangu. moyo wangu wavhunduswa mukati mangu.
143:5b.PSA.143.005 Ndinorangarira mazuva akare; Ndinofungisisa zvose zvamakaita; Ndinofunga basa ramaoko enyu.
143:6b.PSA.143.006 Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri; Mweya wangu unokushuvai senyika yakaomerwa.
143:7b.PSA.143.007 Kurumidzai kupindura, Jehovha; mweya wangu waziya; Regai kundivanzira chiso chenyu; Ndigosava savanoburukira kugomba.
143:8b.PSA.143.008 Ndinzwisei unyoro hwenyu mangwanani; Nokuti ndinovimba nemi; Ndizivisei nzira yandinofanira kufamba nayo; Nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri.
143:9b.PSA.143.009 Ndirwirei Jehovha, panavavengi vangu; Ndinovanda nemi.
143:10b.PSA.143.010 Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu; nokuti ndimi Mwari wangu; Mweya wenyu, wakanaka ngaundifambise munyika yakati chechetere,
143:11b.PSA.143.011 Ndiponesei Jehovha, nokuda kwezita renyu; Budisai mweya wangu pakumanikidzwa nokururama kwenyu.
143:12b.PSA.143.012 Pedzai vavengi vangu nounyoro hwenyu, Muparadze vose vanomanikidza mweya wangu; Nokuti ndiri muranda wenyu.
144
144:1b.PSA.144.001 Ngaarumbidzwe Jehovha, dombo rangu, Anodzidzisa maoko angu kurwa, Neminwe yangu kufura;
144:2b.PSA.144.002 Unyoro hwangu, nenhare yangu, Shongwe yangu yakakwirira, nomurwiri wangu; nhovo yangu, uye iye wandinovimba naye; Anoisa vanhu vangu pasi pangu.
144:3b.PSA.144.003 Jehovha, munhu chinyiko, zvamune hanya naye? Kana Mwanakomana womunhu, zvamunomurangarira?
144:4b.PSA.144.004 Munhu akafanana nomweya; Mazuva ake anenge mumvuri unopfuura.
144:5b.PSA.144.005 Kotamisa kudenga-denga kwenyu Jehovha, muburuke; Gunzvai makomo, apfungaire hutsi.
144:6b.PSA.144.006 Penyesai mheni, muvaparadze; Furai miseve yenyu, muvavhunduse.
144:7b.PSA.144.007 Tambanudzai ruoko rwenyu muri kumusoro; Ndisunungurei, mundirwire pamvura zhinji, Naparuoko rwavatorwa;
144:8b.PSA.144.008 Avo vanotaura zvisina maturo nomuromo wavo, Uye ruoko rwavo rworudyi ndirwo ruoko rworudyi rwenhema.
144:9b.PSA.144.009 Mwari ndichakuimbirai rwiyo rutsva; Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza nomutengeranwa une ungiso dzine gumi.
144:10b.PSA.144.010 Ndimi munopa madzimambo kuponeswa, Munorwira Dhavhidhi muranda wenyu pamunondo unokuvadza.
144:11b.PSA.144.011 Ndisunungurei, mundirwire paruoko rwavatorwa, Vanotaura zvisina maturo nomuromo wavo, Uye ruoko rwavo rworudyi ndirwo ruoko rworudyi rwenhema.
144:12b.PSA.144.012 Vanakomana vedu vachava semiti yakakura kwazvo pautsva hwayo; Uye vanasikana vedu samabwe ekona akavezwa sezvinovezerwa imba yamambo;
144:13b.PSA.144.013 Matura edu achazara nezviyo zvamarudzi ose; Namakwai edu achabereka zviuru negumi rezviuru kumafuro edu.
144:14b.PSA.144.014 Nzombe dzedu dzichatakudzwa zvizhinji; Hatingaputsirwi madziro, kana kubuda kundorwa, Hakungavi nemhere inoridzwa panzira dzomumusha medu;
144:15b.PSA.144.015 Vanomufaro vanhu avo, vanoitirwa saizvozvo; Vanomufaro vanhu avo, Mwari wavo ari Jehovha.
145
145:1b.PSA.145.001 Ndichakukudzai kwazvo, Mwari wangu, imi Mambo; Ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi-peri.
145:2b.PSA.145.002 Ndichakurumbidzai zuva rimwe nerimwe; Ndichakudza zita renyu nokusingaperi-peri.
145:3b.PSA.145.003 Jehovha mukuru, anofanira kurumbidzwa kwazvo; Ukuru hwake haunganzverwi.
145:4b.PSA.145.004 Rudzi rumwe rucharumbidza mabasa enyu kuno rumwe, Vachadudzira zvamakaita zvine simba.
145:5b.PSA.145.005 Ndichafungisisa kubwinya kwoumambo hwenyu hunokudzwa, Namabasa enyu anoshamisa.
145:6b.PSA.145.006 Vanhu vachataura vachireva simba ramabasa enyu anotyisa; Neni ndichadudzira ukuru hwenyu.
145:7b.PSA.145.007 Vachareva vachiyeudzira kunaka kwenyu kukuru, Nokuimbira kururama kwenyu.
145:8b.PSA.145.008 Jehovha anenyasha, azere netsitsi, Haachimbidziki kutsamwa, anengoni zhinji.
145:9b.PSA.145.009 Jehovha anomoyo wakanaka kuna vose; Ngoni dzake dziri pamabasa ake ose.
145:10b.PSA.145.010 Mabasa enyu ose achakuvongai Jehovha; Navatsvene venyu vachakurumbidzai.
145:11b.PSA.145.011 Vachataura vachireva kubwinya kwoushe hwenyu, Nokuparidza simba renyu;
145:12b.PSA.145.012 Kuti vazivise vanakomana vavanhu mabasa ake anesimba, Nokubwinya kwoumambo hwoushe hwake.
145:13b.PSA.145.013 Ushe hwenyu ndihwo ushe husingaperi, Noumambo hwenyu huchagara nokusingaperi.
145:14b.PSA.145.014 Jehovha anotsigira vose vanowa, Anosimudza vose vakakotamiswa pasi.
145:15b.PSA.145.015 Meso avose anotarira kwamuri; Munovapa zvokudya zvavo panguva yakafanira.
145:16b.PSA.145.016 Munotadzanura ruoko rwenyu, Ndokugutisa zvipenyu zvose.
145:17b.PSA.145.017 Jehovha akarurama panzira dzake dzose, Anenyasha pazvose zvaanoita.
145:18b.PSA.145.018 Jehovha ari pedo navose vanodana kwaari, Vose vanodana kwaari nezvokwadi.
145:19b.PSA.145.019 Achaitira vanomutya sezvavanoda; Achanzwawo kudanidzira kwavo; ndokuvaponesa.
145:20b.PSA.145.020 Jehovha anochengeta vose vanomuda Asi vakaipa achavaparadza vose.
145:21b.PSA.145.021 Muromo wangu uchataura kurumbidzwa kwaJehovha, Vanhu vose ngavarumbidze zita rake dzvene nokusingaperi-peri.
146
146:1b.PSA.146.001 Hareruya! Rumbidzai Jehovha, iwe mweya wangu!
146:2b.PSA.146.002 Ndicharumbidza Jehovha ndichiri mupenyu; Ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza, ini ndichiripo.
146:3b.PSA.146.003 Regai kuvimba namachinda, Kana noMwanakomana womunhu, asingagoni kubatsira.
146:4b.PSA.146.004 Mweya wake unobuda, iye ndokudzokera pasi pake; Nezuva iro mano ake anopera.
146:5b.PSA.146.005 Anomufaro munhu uyo kana Mwari waJakobho ari mubatsiri wake, Anotarira kuna Jehovha Mwari wake.
146:6b.PSA.146.006 Iye, akaita kudenga napasi, Negungwa, nezvose zviri mukati mazvo; Iye, anoramba akatendeka nokusingaperi;
146:7b.PSA.146.007 Anoruramisira vanomanikidzwa; Anopa vane nzara zvokudya; Jehovha anosunungura vasungwa;
146:8b.PSA.146.008 Jehovha anosvinudza meso amapofu; Jehovha anosimudza vakakotamiswa pasi; Jehovha anoda vakarurama;
146:9b.PSA.146.009 Jehovha anochengeta vatorwa; Jehovha anotsigira nherera nechirikadzi; Asi nzira yavakaipa anoipesanisa.
146:10b.PSA.146.010 Jehovha achabata ushe nokusingaperi, Mwari wako, iwe Ziyoni, kusvikira kumarudzi namarudzi. Hareruya!
147
147:1b.PSA.147.001 Hareruya. Nokuti zvakanaka kuti Mwari wedu aimbirwe nziyo dzokurumbidza; Zvinofadza, uye kurumbidza kwakafanira.
147:2b.PSA.147.002 Jehovha anovaka Jerusaremu; Anounganidza vakadzingwa vaIsiraeri.
147:3b.PSA.147.003 Anoporesa vane moyo yakaputsika, Anosunga mavanga avo.
147:4b.PSA.147.004 Anotara kuwanda kwenyeredzi; Anodzipa dzose mazita adzo.
147:5b.PSA.147.005 Ishe wedu mukuru, anesimba guru; Njere dzake hadziperi.
147:6b.PSA.147.006 Jehovha anobatsira vanyoro;
147:7b.PSA.147.007 Imbirai Jehovha muchimuvonga, Imbirai Mwari wedu nziyo dzokurumbidza nembira;
147:8b.PSA.147.008 Iye anofukidza denga namakore, Anogadzirira pasi mvura, Anomeresa uswa pamakomo.
147:9b.PSA.147.009 Anopa zvipfuwo zvokudya zvazvo, Navana vamakunguvo, anochema.
147:10b.PSA.147.010 Haafadzwi nesimba rebhiza; Haafariri makumbo omurume.
147:11b.PSA.147.011 Jehovha anofara navanomutya, Navanotarira ngoni dzake.
147:12b.PSA.147.012 Rumbidza Jehovha, iwe Jerusaremu; Rumbidza Mwari wako, iwe Ziyoni.
147:13b.PSA.147.013 Nokuti wakasimbisa mazariro amasuo ako; Akaropafadza vana vako mukati mako.
147:14b.PSA.147.014 Anoisa rugare panyika yako; Anokugutisa nezviyo zvakaisvonaka.
147:15b.PSA.147.015 Anotuma mirairo yake panyika; Shoko rake rinomhanya kwazvo.
147:16b.PSA.147.016 Anopa vanhu chando samakushe amakwai, Anoparadzira chando samadota.
147:17b.PSA.147.017 Anokanda chimvuramabwe chake sezvimedu; Ndianiko angamira pachando chake?
147:18b.PSA.147.018 Anotuma shoko rake, ndokuzvinyausa; Anovhuvhutisa mhepo yake mvura ndokuyerera.
147:19b.PSA.147.019 Anozivisa Jakobho shoko rake, Nalsiraeri mitemo yake nezvaakatonga.
147:20b.PSA.147.020 Haana kutongoitira rumwe rudzi saizvozvo; Kana zviri zvaakatonga, havana kuzviziva. Hareruya!
148
148:1b.PSA.148.001 Hareruya! Rumbidzai Jehovha, imi muri kudenga; Murumbidzei panzvimbo dzokumusoro.
148:2b.PSA.148.002 Murumbidzei imi vatumwa vake vose; Murumbidzei imi hondo dzake dzose.
148:3b.PSA.148.003 Murumbidzei imi zuva Murumbidzei imi nyeredzi dzose dzinovhenekera.
148:4b.PSA.148.004 Murumbidzei imi kudenga kwokudenga-denga, Newe mvura zhinji, iri kumusoro kwokudenga-denga.
148:5b.PSA.148.005 Ngazvirumbidze zita raJehovha; Nokuti iye akaraira, zvikasikwa.
148:6b.PSA.148.006 Akazvisimbisawo nokusingaperi-peri; Akatema chirevo chisingafaniri kudarikwa.
148:7b.PSA.148.007 Rumbidzai Jehovha imi vapasi, Imi zvikara zvegungwa, nezviri makadzika;
148:8b.PSA.148.008 Moto nechimvuramabwe, chando noutsi; Dutu guru, rinoita zvaakareva;
148:9b.PSA.148.009 Makomo nezvikomo zvose; Miti inobereka nemisidhari yose;
148:10b.PSA.148.010 Mhuka, nezvipfuwo zvose; Zvinokambaira neshiri dzinobhururuka;
148:11b.PSA.148.011 Madzimambo apasi nendudzi dzose dzavanhu; Machinda navatongi vose vapasi;
148:12b.PSA.148.012 Majaya nemhandara; Vatana navana;
148:13b.PSA.148.013 Ngavarumbidze zita raJehovha; Nokuti zita rake roga rakakurumbira; Umambo hwake huri kumusoro kwapasi nokudenga.
148:14b.PSA.148.014 Akasimudza runyanga rwavanhu vake, Kuti arumbidzwe navatsvene vake vose; Naivo vana vaIsiraeri, ivo vanhu vari pedo naye. Hareruya!
149
149:1b.PSA.149.001 Hareruya! Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, Nokurumbidzwa kwake paungano yavatsvene.
149:2b.PSA.149.002 Isiraeri ngaafarire kwazvo musiki wake; Vana veZiyoni ngavave nomufaro naMambo wavo.
149:3b.PSA.149.003 Ngavarumbidze zita rake vachimutambira; Ngavamuimbire nziyo dzokurumbidza nengoma nembira.
149:4b.PSA.149.004 Nokuti Jehovha anofarira vanhu vake; Achashongedza vanyoro noruponeso;
149:5b.PSA.149.005 Vatsvene ngavafare kwazvo nokukudziwa; Ngavaimbe nomufaro panhovo dzavo.
149:6b.PSA.149.006 Kurumbidza kukuru kwaMwari ngakuve pahuro dzavo, Nomunondo unocheka kwose paruoko rwavo;
149:7b.PSA.149.007 Kuti vatsive vahedheni; Varange ndudzi dzavanhu;
149:8b.PSA.149.008 Kuti vasunge madzimambo avo neketani, Navakuru vavo nezvisungo zvamatare.
149:9b.PSA.149.009 Kuti vavaitire zvavakatongerwa zvakanyorwa; Vatsvene vake vose vachakudzwa naizvozvi. Hareruya!
150
150:1b.PSA.150.001 Hareruya! Rumbidzai Jehovha panzvimbo yake tsvene; Murumbidzei mudenga rakaitwa nesimba rake,
150:2b.PSA.150.002 Murumbidzei nokuda kwezvaakaita nesimba rake; Murumbidzei zvakafanira ukuru-kuru hwake.
150:3b.PSA.150.003 Murumbidzei nemitengeranwa nembira.
150:4b.PSA.150.004 Murumbidzei nengoma nokutamba; Murumbidzei nohudimbwa nenyere.
150:5b.PSA.150.005 Murumbidzei namakandira anorira kwazvo; Murumbidzei namakandira anorira zvakanaka.
150:6b.PSA.150.006 Zvinhu zvose zvinofema, ngazvirumbidze Jehovha. Hareruya!
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Psalms (Shona). Psalms (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C58D-B