Job (Shona)

Job (Shona)

1

1:1b.JOB.001.001 Kwakanga kuno munhu panyika yeUzi, ainzi Jobho; munhu uyu akanga akakwana, akarurama, aitya Mwari achinzvenga zvakaipa

1:2b.JOB.001.002 Iye wakaberekerwa vanakomana vanomwe navakunda vatatu.

1:3b.JOB.001.003 Uye fuma yake yakasvika makwai ane zviuru zvinomwe, nemakamera zviuru zvitatu, nemombe dzakaringana majoko ana mazana mashanu, namakadzi embongoro ana mazana mashanu, navanhu vazhinji paimba yake; naizvozvo munhu uyu akanga ari mukuru pakati pavana vamabvazuva.

1:4b.JOB.001.004 Vanakomana vake vaisienda kundoita mutambo paimba yomumwe nomumwe wavo pazuva rake; vaituma kundodana hanzvadzi dzavo nhatu kuzodya nokunwa navo.

1:5b.JOB.001.005 Zvino kana mazuva okutamba kwavo apera Jobho aituma nhume kuvadana vanatswe, zvino iye ndokumuka mangwanani, ndokupisa zvipiriso zvinopiswa zvaivaringanira vose; nokuti Jobho wakati, Zvimwe vanakomana vangu vakatadza, vakashora Mwari pamoyo yavo; Jobho aisidaro nguva dzose. Satani anotenderwa kuedza Jobho

1:6b.JOB.001.006 Zvino rimwe zuva vanakomana vaMwari vakati vachindomira pamberi paJehovha, Satani akasvikawo pakati pavo.

1:7b.JOB.001.007 Jehovha akati kuna Satani, Wabvepiko? Satani akapindura Jehovha, akati, Ndabva pakupota-pota nenyika, napakufamba-famba pairi.

1:8b.JOB.001.008 Jehovha akati kuna Satani, Wacherekedza muranda wangu Jobho here? Nokuti hakuna munhu akafanana naye panyika, munhu akakwana, akarurama, anotya Mwari, achinzvenga zvakaipa.

1:9b.JOB.001.009 Ipapo Satani akapindura Jehovha, akati, Jobho anotya Mwari pasina here?

1:10b.JOB.001.010 Hamuna kumupoteredza here norumhanda, iye neimba yake, nezvose zvaanazvo, pamativi ose? Makaropafadza mabasa amaoko ake, uye fuma yake yakawanda panyika.

1:11b.JOB.001.011 Asi tambanudzai henyu ruoko rwenyu, zvino, murove zvose zvaanazvo, ipapo iye achakushorai pachena.

1:12b.JOB.001.012 Jehovha akati kuna Satani, Tarira, zvose zvaanazvo zviri paruoko rwako; asi usatambanudzira ruoko rwako kwaari. Naizvozvo Satani akabva pamberi paJehovha.

1:13b.JOB.001.013 Zvino rimwe zuva vanakomana vake navanasikana vake vakati vachidya nokunwa waini paimba yomukuru wavo,

1:14b.JOB.001.014 nhume ikasvika kuna Jobho, ikati, Mombe dzakanga dzichirima, nembongoro dzichichera kurutivi rwadzo,

1:15b.JOB.001.015 vaSabea vakadziwira, ndokudzitora, navafudziwo vakavauraya neminondo inopinza; ini ndoga ndakapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.

1:16b.JOB.001.016 Iye akati achitaura, mumwe akasvikawo, akati, Moto waMwari wakabva kudenga, ukapisa makwai navafudzi, ukavapedza; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.

1:17b.JOB.001.017 Iye akati achitaura, mumwe akasvikawo, akati, VaKaradhea vakaita mapoka matatu, vakawira makamera, vakamatora, navafudziwo vakavauraya neminondo inopinza; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.

1:18b.JOB.001.018 Iye akati achitaura, mumwe akasvikawo, akati, Vanakomana venyu navanasikana venyu vakanga vachidya nokunwa waini mumba momukuru wavo,

1:19b.JOB.001.019 dutu guru ndokubva kurutivi rwerenje, ndokurova pamusoro pavana, vakafa; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.

1:20b.JOB.001.020 Ipapo Jobho akasimuka, akabvarura nguvo yake, akaveura vhudzi rake akazviwisira pasi, akanamata,

1:21b.JOB.001.021 akati, Ndakabuda mumimba mamai vangu ndiri musvi, ndichadzokerapo ndiri musvi; Jehovha wakapa, Jehovha wakatora, zita raJehovha ngarikudzwe.

1:22b.JOB.001.022 pazvinhu izvi zvose Jobho haana kutadza, haana kuti Mwari akaita noupenzi.

2

2:1b.JOB.002.001 Zvino rimwe zuvazve vanakomana vaMwari vakati vachindomira pamberi paJehovha, Satani akasvikawo pakati pavo, akamira pamberi paJehovha.

2:2b.JOB.002.002 Jehovha akati kuna Satani, Wabvepiko? Satani akapindura Jehovha, akati, Ndabva pakupota-pota nenyika, napakufamba-famba pairi.

2:3b.JOB.002.003 Jehovha akati kuna Satani, Wacherekedza muranda wangu Jobho here? Nokuti hakuna munhu akafanana naye panyika, munhu akakwana, akarurama, anotya Mwari, achinzvenga zvakaipa; nazvino anorambira pakururama kwake, kunyange iwe wakandikurudzira kuti ndimuparadze asine mhaka.

2:4b.JOB.002.004 Satani akapindura Jehovha, akati, Ganda rinotsihwa neganda, zvose zvaanazvo munhu angazviisira upenyu hwake.

2:5b.JOB.002.005 Asi tambanudzai ruoko rwenyu zvino, murove mapfupa ake nenyama yake, ipapo achakushorai pachena.

2:6b.JOB.002.006 Jehovha akati kuna Satani, Tarira, iye ari paruoko rwako; asi kwoga urege upenyu hwake.

2:7b.JOB.002.007 Naizvozvo Satani akabva pamberi paJehovha, akarova Jobho namaronda akaipa, kubva patsoka dzake kusvikira pamusoro wake.

2:8b.JOB.002.008 Jobho akatora chaenga akazvikwenya nacho; akagara pasi pakati pamadota.

2:9b.JOB.002.009 Ipapo mukadzi wake akati kwaari, Ucharambira nazvino pakururama kwako here? Shora Mwari, ufe hako.

2:10b.JOB.002.010 Asi iye akati kwaari, Iwe unotaura sezvinotaura mumwe wavakadzi mapenzi. Tingagamuchira zvakanaka bedzi paruoko rwaMwari, tikasagamuchira zvakaipawo here? Pazvinhu izvi zvose Jobho haana kutadza nomuromo wake. Shamwari dzaJobho dzinomushanyira

2:11b.JOB.002.011 Zvino shamwari nhatu dzaJobho dzakati dzichinzwa zvakaipa zvose zvakanga zvamuwira, dzikauya mumwe nomumwe achibva kwake, dzaiti Erifazi muTemani, naBhiridhadhi muShuhi, naZofari muNamati; vakatenderana kundomunzwira tsitsi nokumunyaradza.

2:12b.JOB.002.012 Zvino vakati vachitarira vachiri kure, vakasamuziva, vakachema kwazvo, mumwe nomumwe akabvarura nguvo yake, vakakushira guruva kudenga pamisoro yavo.

2:13b.JOB.002.013 Ipapo vakagara pasi naye mazuva manomwe nousiku hunomwe; asi hakuna nomumwe akataura naye kunyange shoko rimwe; nokuti vakaona kuti njodzi yake yakanga iri huru kwazvo.

3

3:1b.JOB.003.001 Shure kwaizvozvo Jobho wakashamisa muromo wake, akatuka zuva rake.

3:2b.JOB.003.002 Jobho akapindura akati,

3:3b.JOB.003.003 Zuva randakaberekwa naro ngarirove, Nousiku uhwo hwavakati, Mwana womukomana agamuchirwa.

3:4b.JOB.003.004 Zuva iro ngarive rima; Mwari ari kumusoro ngaarege kurirangarira, Nechiedza ngachirege kurivhenekera.

3:5b.JOB.003.005 Rima nomumvuri worufu ngazviritore rive razvo; Gore ngarigare pamusoro paro; Zvose zvinosvibisa zuva ngazvirivhunduse.

3:6b.JOB.003.006 Kana huri vusiku uhwo, ngahubatwe nerima guru; Ngahurege kufara pakati pamazuva egore; Ngahurege kurahwa pakati pemwedzi.

3:7b.JOB.003.007 Usiku uhwo ngahurege kubereka; inzwi romufaro ngarirege kupinda mahuri.

3:8b.JOB.003.008 Vanotuka zuva iro ngavavutukewo, Ivo vanogona kumutsa shato huru.

3:9b.JOB.003.009 Nyeredzi dzamambakwedza ahwo ngadzisvibe; Ngahumirire chiedza, asi huchishaiwe; Ngaurege kuona fungiro dzameso amangwanani;

3:10b.JOB.003.010 Zvahusina kupfiga mikova yemimba yamai vangu, Kana kuvanza kutambudzika pameso angu.

3:11b.JOB.003.011 Ndakaregereiko kufa ndichiri mumimba? Ndakaregerei kuparara ndichibuda mudumbu,

3:12b.JOB.003.012 Mabvi akandigamuchirireiko? Kana mazamu, kuti ndimwe?

3:13b.JOB.003.013 Nokuti ndingadai zvino ndakatandavara, ndinyerere; Ndingadai ndivete; ipapo ndingadai ndazorora;

3:14b.JOB.003.014 Pamwechete namadzimambo namakurukota enyika Vakazvivakira matongo;

3:15b.JOB.003.015 Kana namachinda, aiva nendarama, Akazadza dzimba dzawo nesirivha;

3:16b.JOB.003.016 Kana ndingadai ndisina kuvapo somwana akaponiwa nguva isina kusvika; Savacheche vasina kutongoona chiedza.

3:17b.JOB.003.017 Vakaipa vanorega kutambudza kwavo ipapo; Vakaneta vanozorora ipapo.

3:18b.JOB.003.018 Vasungwa vanorugare pamwechete ipapo; Havanzwi inzwi romutariri.

3:19b.JOB.003.019 Vaduku navakuru varipo; Uye muranda akasununguka panatenzi wake.

3:20b.JOB.003.020 Munhu ari panjodzi anopiyirweiko chiedza, Noupenyu kuno ane shungu pamoyo;

3:21b.JOB.003.021 Avo vanoshuva rufu, asi haruuyi; Vanoruchera kupfuura fuma yakavanzwa pasi;

3:22b.JOB.003.022 Vanopembera kwazvo, Nokufara, kana vachiwana hwiro?

3:23b.JOB.003.023 Munhu, akadzimira nzira yake, anopiyirweiko upenyu, Iye akadzivirirwa norumhanda naMwari?

3:24b.JOB.003.024 Nokuti ndinogomera ndisati ndadya, Kuvuvura kwangu kunodururwa semvura.

3:25b.JOB.003.025 Nokuti chinhu chandaitya chandiwira, Nechandinozeza chandivinga.

3:26b.JOB.003.026 Handina mufaro, kana kunyarara, kana kuzorora; Asi njodzi inongosiuya.

4

4:1b.JOB.004.001 Ipapo Erifazi muTemani akapindura, akati,

4:2b.JOB.004.002 Kana munhu akaidza kutaurirana newe, iwe uchava neshungu here? Asi ndiani angazvidzora, akasataura hake?

4:3b.JOB.004.003 Tarira, iwe wakadzidzisa vazhinji, Iwe wakasimbisa maoko akashaiwa simba.

4:4b.JOB.004.004 Mashoko ako akatsigira akanga achivavarira kuwa, Iwe wakasimbisa mabvi akanga achigweda-gweda.

4:5b.JOB.004.005 Asi zvino zvasvika kwauri, iwe woshaiwa simba, Zvakubata, zvino wotambudzika.

4:6b.JOB.004.006 Ko kutya kwako Mwari harizi simba rako here? Kururama kwenzira dzako haizi tariro yako here?

4:7b.JOB.004.007 Rangarira hako, ndianiko asine mhaka akatongoparara? Kana vakarurama vakatongoparadzwa papi?

4:8b.JOB.004.008 Sezvandakaona ini, vanhu, vanorimira zvakaipa Navanodzvara zvakashata, ndivo vanokohwawo izvozvo.

4:9b.JOB.004.009 Vanoparadzwa nomweya waMwari, Vanopedzwa nokufema kwokutsamwa kwake.

4:10b.JOB.004.010 Kunduruma kweshumba nenzwi reshumba inehasha, Nameno evana veshumba anoparadzwa.

4:11b.JOB.004.011 Shumba, yakwegura, inofa nokushaiwa zvingabata; Navana veshumbakadzi vanoparadzirwa.

4:12b.JOB.004.012 Zvino ndakaziviswa shoko rakavanda; Nzeve yangu yakanzwa zeve-zeve raro.

4:13b.JOB.004.013 Pandangariro dzinobva pane zvinoonekwa usiku, Kana vanhu vabatwa nehope huru;

4:14b.JOB.004.014 Kutya nokubvunda kwakandiwira, Kwakabvundisa mapfupa angu ose.

4:15b.JOB.004.015 Ipapo mweya wakapfuura pamberi pechiso changu; Mvere dzenyama yangu dzikasimuka.

4:16b.JOB.004.016 Wakamira, asi ndakanga ndisingagoni kuona kuti akadini; Mufananidzo wangu wakanga uri pamberi pameso angu; Kunyarara kukavapo, ndikanzwa inzwi richiti,

4:17b.JOB.004.017 Ko munhu, anofa, angakunda Mwari pakururama here? Ko munhu angakunda Muiti wake pakunaka here?

4:18b.JOB.004.018 Tarirai, haatendi varanda vake; Vatumwa vake anovapa mhaka achiti mapenzi;

4:19b.JOB.004.019 Ndoda vanogara mudzimba dzevhu, Nheyo dzadzo dzakateyiwa paguruva, Dzinopwanyiwa sezvivhundudzi.

4:20b.JOB.004.020 Vanoparadzwa pakati pamagwanani namadekwana; Vanoparara nokusingaperi, pasina munhu ane hanya nazvo.

4:21b.JOB.004.021 Ko bote retende ravo harina kuvhomorwa pamwechete navo here? Vanofa vasina uchenjeri.

5

5:1b.JOB.005.001 Zvino chidana hako; panomumwe angakupindura here?

5:2b.JOB.005.002 Nokuti kutsamwa kunouraya benzi, Uye shungu dzinoparadza asina zivo.

5:3b.JOB.005.003 Ndakaona benzi richiita midzi; Asi pakarepo ndakatuka nzvimbo yaro.

5:4b.JOB.005.004 Vana varo havatongoponeswi, Vanopwanyiwa musuo; Hapana anovarwira.

5:5b.JOB.005.005 Zvaakacheka zvinodyiwa navane nzara, Vanozvitora kunyange napakati peminzwa; Vane nyota vanonwa fuma yavo.

5:6b.JOB.005.006 Nokuti kutambudzika hakubudi paguruva. Uye nhamo haibvi pasi.

5:7b.JOB.005.007 Asi munhu anoberekerwa nhamo, Sebaribari dzomoto dzinokwira kumusoro.

5:8b.JOB.005.008 Asi kana ndirini, ndaitsvaka Mwari, Ndaiisa mhosva yangu kuna Mwari;

5:9b.JOB.005.009 Iye anoita zvinhu zvikuru zvisinganzverwi; Zvinhu zvinoshamisa zvisingaverengwi;

5:10b.JOB.005.010 Iye anonisa mvura panyika, Anotuma mvura paminda;

5:11b.JOB.005.011 Ndiye anokwiridza vakaderera; Vanochema vanokundiswa.

5:12b.JOB.005.012 Anokanganisa mano avanyengeri, Maoko avo arege kuita zvavakanga vachida kuita.

5:13b.JOB.005.013 Vakachenjera anovabata pamano avo, Nokurangana kwavasakarurama kunoputsirwa pasi.

5:14b.JOB.005.014 Vanosangana nerima masikati. Vanotsvanzvadzira masikati makuru sapausiku.

5:15b.JOB.005.015 Asi iye anorwira paminondo yemiromo yavo, Anorwira anoshaiwa pamaoko avane simba.

5:16b.JOB.005.016 Saka murombo ane tariro, Kuipa kunozvifumbira murumo.

5:17b.JOB.005.017 Tarirai, munhu, anorairwa naMwari, ano mufaro; Saka usazvidza kuranga kwowaMasimbaose.

5:18b.JOB.005.018 Nokuti iye anokuvadza, ndokusungazve vanga, Unopwanya, maoko ake ndokupodzazve.

5:19b.JOB.005.019 Iye achakurwira panjodzi nhanhatu; Kunyange panomwe hakuna chakaipa chingakubata.

5:20b.JOB.005.020 Panzara achakudzikunura parufu; Napakurwa achakudzikunura pasimba romunondo.

5:21b.JOB.005.021 Iwe uchavanziwa pakurohwa norurimi; Haungatyi kuparadza kana kuchisvika.

5:22b.JOB.005.022 Uchaseka kuparadza nokushaiwa; Haungatyi zvikara zvenyika.

5:23b.JOB.005.023 Nokuti iwe uchaita sungano namabwe esango; Zvikara zvesango zvichaita rugare newe.

5:24b.JOB.005.024 Iwe uchaziva kuti tende rako rino rugare; Uchandotarira zvipfuwo zvako, ukasashaiwa chimwe chazvo.

5:25b.JOB.005.025 Uchazivawo kuti vana vako vachawanda, Navazukuru vako vachaita souswa hwenyika.

5:26b.JOB.005.026 Uchasvika pahwiro hwako wakwegura kwazvo, Sechisote chezviyo chinosvika panguva yacho.

5:27b.JOB.005.027 Tarira izvozvi takazvinzvera, ndizvozvo; Chizvinzwa, uzvizive iwe umene.

6

6:1b.JOB.006.001 Ipapo Jobho akapindura, akati,

6:2b.JOB.006.002 Haiwa, dai kutambudzika kwangu kwaiyerwa, Nenjodzi dzangu dzaivunganidzirwa pachiyero!

6:3b.JOB.006.003 Nokuti zvino zvairema kupfuura jecha ramakungwa; Naizvozvo mashoko angu aiva okuvhurumuka.

6:4b.JOB.006.004 Nokuti miseve yoWamasimba yakandibaya mukati mangu, Mweya wangu unonwa uturu hwayo; Zvinotyisa zvaMwari zvazvigadzirira kurwa neni.

6:5b.JOB.006.005 Ko mbizi ingachema kana ine bumhudza here? Ko nzombe ingakuma pazvokudya zvayo here?

6:6b.JOB.006.006 Ko chisinganaki chingadyiwa chisino munyu here? Ko zvichena zvezai zvinozipa here?

6:7b.JOB.006.007 Mweya wangu unoramba kuzvibata; Kwandiri zvakafanana nezvokudya zvinosemesa.

6:8b.JOB.006.008 Haiwa! Dai ndaipiwa zvandinokumbira; Dai Mwari aindipa zvandinoshuva.

6:9b.JOB.006.009 Dai Mwari aitenda hake kundipwanya, Dai aitambanudza hake ruoko rwake, akandiparadza.

6:10b.JOB.006.010 Ipapo ndainyaradzwa hangu; Zvirokwazvo ndaifara pakurwadziwa kusine tsitsi; Nokuti handina kuramba mashoko oMutsvene.

6:11b.JOB.006.011 Simba rangu ndereiko, randingamirira naro rufu? Mugumo wangu ndoweiko, kuti nditsungirire?

6:12b.JOB.006.012 Simba rangu rakafanana neramabwe here? Nyama yangu indarira kanhi?

6:13b.JOB.006.013 Handizinoshaiwa rubatsiro mukati mangu here? Uchenjeri kwahwo hahuzadzingwa chose kwandiri here?

6:14b.JOB.006.014 Munhu, anorwisa kuziya, anofara kuitirwa nyasha neshamwari dzake; Angazorega kutya waMasimbaose.

6:15b.JOB.006.015 Hama dzangu dzakaita nokusatendeka sorukova, Sokuyerera kwehova dzinopfuura;

6:16b.JOB.006.016 Dzakasviba nokuda kwamazaya echando, Uye panovanda chando;

6:17b.JOB.006.017 Kana zuva ropisa, dzonyangarika; Kana kwopisa dzinopedzwa panzvimbo yadzo.

6:18b.JOB.006.018 Vafambi vanofamba nenzira yadzo vanotsauka, Vanokwira kurenje ndokuparara

6:19b.JOB.006.019 Vafambi veTema vakatarira, Mapoka eShebha akadzimirira.

6:20b.JOB.006.020 Vanonyadziswa nokuti vakanga vane tariro; Vakasvikapo vakakanganiswa.

6:21b.JOB.006.021 Nokuti zvino hamuzi chinhu; Munoona chinotyisa, ndokutya.

6:22b.JOB.006.022 Ko ndakati, Ndipei here? Kana, Ndivigirei chipo chinobva pafuma yenyu here?

6:23b.JOB.006.023 Kana, Ndirwirei paruoko rwomudzivisi here? Kana, Ndidzikunurei paruoko rwavamanikidzi here?

6:24b.JOB.006.024 Ndidzidzisei, ndinyarare hangu; Mundidudzire pandatadza.

6:25b.JOB.006.025 Mashoko akarurama ane simba sei! Asi kutuka kwenyu kunotukeiko?

6:26b.JOB.006.026 Munofunga kutuka mashoko here? Nokuti mashoko omunhu, arasha moyo, anotorwa nemhepo.

6:27b.JOB.006.027 Zvirokwazvo munoda kukanda mijenya pamusoro penherera isina baba, Munoda kutengesa shamwari yenyu.

6:28b.JOB.006.028 Naizvozvo zvino chindonditarirai henyu; Nokuti zvirokwazvo handingarevi nhema pamberi penyu.

6:29b.JOB.006.029 Dzokai henyu, ndizvo zvandinokumbira, kusarurama kurege kuvapo, Dzokai henyu, mhaka yangu yakarurama.

6:30b.JOB.006.030 Parurimi rwangu panokusarurama here? Kuravira kwangu hakungasaruri zvinhu zvakashata here?

7

7:1b.JOB.007.001 Ko munhu haatambudziki here pabasa panyika? Mazuva ake haana kufanana namazuva omubatiri here?

7:2b.JOB.007.002 Somuranda anoshuva mumvuri, Nomubatiri anotarira mubairo wake;

7:3b.JOB.007.003 Saizvozvo ini ndakapiwa mwedzi isina maturo, Ndakatarirwa usiku hwenjodzi.

7:4b.JOB.007.004 Kana ndovata, ndinoti, Ndichamuka rinhiko? Asi usiku hwakareba; Ndinoramba ndichishanduka-shanduka kusvikira kwoedza.

7:5b.JOB.007.005 Nyama yangu yakafukidzwa nehonye namavhinga evhu., Ganda rangu rinofunuka, richiputika hurwa.

7:6b.JOB.007.006 Mazuva angu anokunda chirukiso chomuruki pakukurumidza, Anopera ndisine tariro.

7:7b.JOB.007.007 Rangarirai henyu kuti upenyu hwangu imhepo hayo; Ziso rangu harichazooni zvakanaka.

7:8b.JOB.007.008 Ziso romunhu unondiona harichazonditaririzve; Meso ako achanditarira, asi handichazovepo.

7:9b.JOB.007.009 Sokupera kwegore nokunyangarika kwaro, Saizvozvo munhu, anoburukira kuSheori, haangazokwirizve.

7:10b.JOB.007.010 Haangazodzokeri kumba kwake, Nenzvimbo yake haingazomuzivi

7:11b.JOB.007.011 Saka handinganyarari nomuromo wangu; Ndichataura pakutambudzika kwomweya wangu; Ndichanyunyuta neshungu dzangu dzomoyo.

7:12b.JOB.007.012 Ndiri gungwa kanhi, kana zimhuka regungwa, Zvamunoisa vanondirindira?

7:13b.JOB.007.013 Kana ndikati, nhovo yangu ichandinyaradza, Mubhedha wangu uchazorodza kunyunyuta

7:14b.JOB.007.014 Ipapo mondivhundusa nokurota hope, Mondityisa nezvandinoona;

7:15b.JOB.007.015 Naizvozvo moyo wangu unotsaura kudzipwa,Nokufa kupfuura mapfupa angu awa.

7:16b.JOB.007.016 Ndinosema upenyu hwangu; handidi kurarama nokusingaperi; Ndiregei; nokuti mazuva angu akafanana nokufema.

7:17b.JOB.007.017 Munhu chinyiko, zvamunomukudza, Nokumuda nomoyo wenyu wose,

7:18b.JOB.007.018 Zvamunomushanyira mangwanani ose Nokumuidza nguva dzose?

7:19b.JOB.007.019 Mucharega rinhiko kundicherekedza, Nokundirega kusvikira ndamedza mate angu?

7:20b.JOB.007.020 Kana ndichinge ndatadza, ndingakuiteiko imi, mucherekedzi wavanhu? Makandiitireiko chinhu chamunovavarira, Kuti lni ndizviremekedze.

7:21b.JOB.007.021 Munoregereiko kukanganwira kudarika kwangu, nokubvisa kutadza kwangu? Nokuti zvino ndichavata pasi muguruva; Muchanditsvaka zvikuru, asi handichazovepo.

8

8:1b.JOB.008.001 Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati,

8:2b.JOB.008.002 Ucharamba uchitaura mashoko awa kusvikira rinhiko?

8:3b.JOB.008.003 Ko Mwari angakanganisa pakutonga here WaMasimbaose angakanganisa zvakarurama here?

8:4b.JOB.008.004 Kana vana vako vakanga vamutadzira iye, Akavaisa pakudarika kwavo;

8:5b.JOB.008.005 Kana iwe ukashingaira kutsvaka Mwari, Ukakumbira kuna waMasimbaose;

8:6b.JOB.008.006 Kana ukava akanaka, akaruruma; Iye angadai aimuka zvino nokuda kwako, Akafambisa zvakanaka imba yako yakarurama.

8:7b.JOB.008.007 Kunyange kutanga kwako kwaiva kuduku, Asi kuguma kwako kwaiva kukuru kwazvo.

8:8b.JOB.008.008 Nokuti chidobvunza hako rudzi rwakare, Ucherekedze zvakanzverwa namadzibaba avo.

8:9b.JOB.008.009 (Nokuti isu tiri vazuro hedu, hatizivi chinhu; Nokuti mazuva edu panyika akafanana nomumvuri;)

8:10b.JOB.008.010 Ivo havangakudzidzisi here, nokukuudza, Nokureva mashoko anobva pamoyo yavo here?

8:11b.JOB.008.011 Ko nhokwe ingamera pasine nhope here? Ko rutsanga rungamera pasine mvura here?

8:12b.JOB.008.012 Ruchiri runyoro, rusati rwatemwa, Runosvava mimwe miriwo ichigere.

8:13b.JOB.008.013 Ndizvo zvakaita nzira dzavose vanokanganwa Mwari; Uye tariro yomunhu asingadi Mwari ichapera;

8:14b.JOB.008.014 Chaakatarira chichaputsanyiwa, Chaakatenda chakafanana namambure edandemutande

8:15b.JOB.008.015 Uchasendamira paimba yake, asi haingamiri; Uchaibata, asi haingagari.

8:16b.JOB.008.016 Iye muti mutema pamushana, Matavi ake anotandavarira pamunda wake.

8:17b.JOB.008.017 Midzi yake yakapombera patsime, Unoona nzvimbo yorukangarabwe.

8:18b.JOB.008.018 Kana akaparadzwa panzvimbo yake, Ichamuramba, ichiti, Handina kukuona,

8:19b.JOB.008.019 Tarira, ndiwo mufaro wenzira yake; Paguruva panobuda vamwe.

8:20b.JOB.008.020 Tarira, Mwari haangarashi munhu wakarurama, Haangabatsiri vanoita zvakaipa.

8:21b.JOB.008.021 Achazozadza hake muromo wako nokuseka, Nemiromo yako nokupururudza.

8:22b.JOB.008.022 Vanokuvenga vachafukidza nokunyara; Uye tende ravakaipa haringazovipo.

9

9:1b.JOB.009.001 Ipapo Jobho akapindura, akati,

9:2b.JOB.009.002 Zvirokwazvo ndinoziva kuti ndizvo, Nokuti munhu angava akarurama pamberi paMwari seiko?

9:3b.JOB.009.003 Kana iye akada kuita nharo naye, Haangagoni kumupindura shoko rimwe pamashoko ane zviuru.

9:4b.JOB.009.004 Iye anomoyo wakangwara, une simba guru; Ndianiko akamuomesera moyo wake, akazofara?

9:5b.JOB.009.005 Iye anobvisa makomo, iwo asingazvizivi, Kana achiashandura pakutsamwa kwake.

9:6b.JOB.009.006 Iye anozunungusa nyika ikabva panzvimbo yayo, Mbiru dzayo dzinodengenyeka.

9:7b.JOB.009.007 Iye anoraira zuva, rikarega kubuda; Iye anodzitira nyeredzi.

9:8b.JOB.009.008 Iye oga anotatamura denga, Anotsika pamusoro pamafungu

9:9b.JOB.009.009 Iye anoita nyeredzi dzeAkituro, nedzeOrinoni, nedzeChimutanhatu, Namakamuri enyasi.

9:10b.JOB.009.010 Iye anoita zvinhu zvikuru zvisinganzverwi, Izvo zvinhu zvinoshamisa, zvisingagoni kuverengwa.

9:11b.JOB.009.011 Tarira, anopfuura pedo neni, ndisingamuoni; Anopfuurawo hake, asi handimuoni.

9:12b.JOB.009.012 Tarira, anotora hake, ndiani angamudzivisa? Ndiani angati kwaari, Unoiteiko?

9:13b.JOB.009.013 Mwari haangadzori kutsamwa kwake; Vabatsiri vaRahabhi vakakotamira pasi pake.

9:14b.JOB.009.014 Ko zvino ini ndichamupindura seiko, Nditsaure mashoko angu ndiite nharo naye?

9:15b.JOB.009.015 Kunyange ndaiva akarurama handizaimupindura; Ndaikumbira nyasha kumutongi wangu.

9:16b.JOB.009.016 Kana ndichinge ndadana, akandipindura, Kunyange zvakadaro handizaitenda kuti akanzwa inzwi rangu.

9:17b.JOB.009.017 Nokuti anondiputsa nedutu remhepo, Anowanza mavanga angu ndisine mhosva hangu.

9:18b.JOB.009.018 Handitenderi kutema mweya wangu, Asi anondizadza nezvinovava.

9:19b.JOB.009.019 Kana riri simba guru, tarira, iye anaro! Kana iri mhosva inotongwa, ndiani achanditarira nguva?

9:20b.JOB.009.020 Kunyange ndaiva akarurama hangu, muromo wangu umene uchandipa mhaka; Kunyange ndaiva akakwana, iye aiti handina kururama.

9:21b.JOB.009.021 Ndakakwana hangu, handizvirangariri; Ndinozvidza upenyu hwangu.

9:22b.JOB.009.022 Zvose zvakafanana hazvo; saka ndinoti, Iye anoparadza vakarurama navakaipa vose.

9:23b.JOB.009.023 Kana nyatwa ichinge yauraya nokukurumidza, Iye achaseka njodzi yavasina mhosva.

9:24b.JOB.009.024 Nyika yakaiswa mumaoko avakaipa; Iye anofukidza meso avatongi vayo; Kana asiri iye, zvino ndianiko?

9:25b.JOB.009.025 Zvino mazuva angu anokurumidza kupfuura mumhanyi; Anotiza asina kuona zvakanaka.

9:26b.JOB.009.026 Apfuura sezvikepe zvinomhanyisa; Segondo rinokurumidzira chiurawa.

9:27b.JOB.009.027 Kana ndikati, Ndichakanganwa kunyunyuta kwangu, Ndicharega chiso changu chinopunyaira, ndifare hangu.

9:28b.JOB.009.028 Ndinotya njodzi dzangu dzose, Ndinoziva kuti hamungati handine mhosva.

9:29b.JOB.009.029 Ndichapiwa mhosva; Zvino ndinotamburireiko zvisina maturo?

9:30b.JOB.009.030 Kana ndikangura nemvura yechando, Ndikachenesa maoko angu kwazvo;

9:31b.JOB.009.031 Kunyange zvakadaro imi mungandinyudza mumatope, Nenguvo dzangu dzichandisema.

9:32b.JOB.009.032 Nokuti iye haazi munhu akafanana neni, kuti ndimupindure, Kuti tikwirirane pakutonga.

9:33b.JOB.009.033 Hakuna mununuri pakati pedu, Ungatibata tose noruoko rwake.

9:34b.JOB.009.034 Ngaabvise shamhu yake kwandiri, hasha dzake dzirege kundityisa;

9:35b.JOB.009.035 Ipapo ndaitaura, ndisingamutyi; Nokuti handizakadaro hangu.

10

10:1b.JOB.010.001 moyo wangu waneta noupenyu hwangu; Handingazvidzori pakunyunyuta kwangu; Ndichataura neshungu dzomoyo wangu.

10:2b.JOB.010.002 Ndichati kuna Mwari, Musandipa mhosva. Ndiratidzei kuti munorwa neni nemhaka yeiko?

10:3b.JOB.010.003 Zvinokufadzai here kumanikidza, Nokuzvidza basa ramaoko enyu, Muchivhenekera kurangana kwavakaipa here?

10:4b.JOB.010.004 Munameso enyama here, Kana munoona somunhu here?

10:5b.JOB.010.005 Mazuva enyu akafanana namazuva omunhu here, Kana makore enyu namakore omunhu here?

10:6b.JOB.010.006 Zvamunobvunza zvakaipa zvangu, Nokunzvera zvivi zvangu,

10:7b.JOB.010.007 Kunyange muchiziva kuti handizi wakaipa; Uye kuti hakuna anogona kurwira paruoko rwenyu here?

10:8b.JOB.010.008 Maoko enyu akandiita nokundiumba, Nhivi dzangu dzose; kunyange zvakadaro moda kundiparadza.

10:9b.JOB.010.009 Rangarirai, ndizvo zvandinokumbira, kuti makandiumba sevhu; Zvino muchandidzosera kuguruva here?

10:10b.JOB.010.010 Hamuna kundidurura somukaka here, Nokundikodza somukaka wakafa?

10:11b.JOB.010.011 Makandifadza nenganda nenyama, Mukandisunganidza namapfupa namarunda.

10:12b.JOB.010.012 Makandipa upenyu netsitsi, Hanya dzenyu dzakachengeta mweya wangu.

10:13b.JOB.010.013 Asi makavanza zvinhu izvi mumoyo menyu; Ndinoziva kuti chinhu ichi chaiva nemi kare.

10:14b.JOB.010.014 Kana ndikatadza munondicherekedza, Hamudi kundikanganwira kudarika kwangu.

10:15b.JOB.010.015 Kana ndiri wakaipa, ndine nhamo; Kana ndiri wakarurama, kunyange zvakadaro handingasimudzi musoro wangu; Zvandizere nokunyadzwa Ndichangotarira kutambudzika kwangu.

10:16b.JOB.010.016 Kana ndikazvikudza, munondironda seshumba; Munopamhazve kundishamisa nesimba renyu.

10:17b.JOB.010.017 Munowedzera zvapupu zvenyu kuzorwa neni, Nokuwanza kutsamwa kwenyu pamusoro pangu; Kushanduka nehondo zvineni.

10:18b.JOB.010.018 Makandibudisireiko pachizvaro chamai? Ndingadai ndaifira hangumo, ndisati ndaonekwa neziso romunhu.

10:19b.JOB.010.019 Ndaiita hangu sendisina kuvapo; Ndaitakurirwa kuhwiro ndichibva pachizvaro chamai.

10:20b.JOB.010.020 Ko mazuva angu haazi mashoma here? Zvino gumai, Ndiregei henyu, kuti ndizorore zvishoma,

10:21b.JOB.010.021 Ndisati ndaenda kwandisingazodzoki, Kunyika yerima nomumvuri worufu;

10:22b.JOB.010.022 Iyo nyika yerima guru, rima chairo; Nyika yomumvuri worufu, panokukanganiswa, Ipapo chiedza chakafanana nerima.

11

11:1b.JOB.011.001 Ipapo Zofari muNaamati akapindura, akati,

11:2b.JOB.011.002 Ko mashoko mazhinji akadai haangapindurwi here? Munhu anoshoshoma angaruramisirwa here?

11:3b.JOB.011.003 Manyawi ako angafanira kunyaradza vanhu here? Kana uchidadira, hakuna ungakunyadza here?

11:4b.JOB.011.004 Nokuti iwe unoti, Zvandinoparidza ndezvazvokwadi, Ndakachena pamberi penyu.

11:5b.JOB.011.005 Asi, haiwa! Dai Mwari hake achitaura, Ashamise miromo yake pamusoro pako;

11:6b.JOB.011.006 Akuratidze zvakavanzwa zvokungwara, Kuti kuna mativi mazhinji. Uzive naizvozvo kuti Mwari anokanganwira zvimwe zvakaipa zvako.

11:7b.JOB.011.007 Unganzwisisa zvakadzika zvaMwari here? Ungakwanisa kunzwisisa iye waMasimbaose here?

11:8b.JOB.011.008 Zvakakwirira sokudenga; iwe ungaiteiko? Zvakadzika kupfuura hwiro; iwe ungaziveiko?

11:9b.JOB.011.009 Kureba kwazvo kunopfuura nyika, Uye upamhi hwazvo hunopfuura gungwa.

11:10b.JOB.011.010 Kana iye akapfuura, akapfigira mitomgo, Akakokera vanhu kukutongwa, ndiani angamudzivisa?

11:11b.JOB.011.011 Nokuti iye anoziva vanhu venhema; Anoonawo zvakaipa, kunyange asingazvifungi.

11:12b.JOB.011.012 Asi munhu asakachenjera anoshaiwa kunzwisisa, Zvirokwazvo, munhu anozvarwa semhuru yembizi.

11:13b.JOB.011.013 Kana iwe ukaruramisa moyo wako, Ukatambanudzira maoko ako kwaari;

11:14b.JOB.011.014 Kana zvakaipa zviri muruoko rwako, uzviise kure, Kusarurama ngakurege kugara mumatende ako;

11:15b.JOB.011.015 Zvirokwazvo ipapo ungasimudza chiso chako, usine gwapa, Zvirokwazvo, uchasimba, usingatyi, chinhu.

11:16b.JOB.011.016 Nokuti uchakanganwa njodzi yako, Uchairangarira semvura yapfuura;

11:17b.JOB.011.017 Upenyu hwako huchavara kupfuura masikati makuru; Kunyange kune rima, kuchava samangwanani.

11:18b.JOB.011.018 Iwe uchasimba pamoyo, nokuti tariro ichavapo; Zvirokwazvo, ucharingaringa ndokuzorora hako wakachengetwa.

11:19b.JOB.011.019 Uchavata hako pasi, hakuna angakutyisa; Zvirokwazvo, vazhinji vachatsvaka kukufadza.

11:20b.JOB.011.020 Asi meso avakaipa achapera nokutarira, Vachashaiwa pokutizirapo, Tariro yavo ichava yokufa.

12

12:1b.JOB.012.001 Ipapo Jobho akapindura, akati,

12:2b.JOB.012.002 Zvirokwazvo, imi muri vanhu vakangwara, Kungwara kuchafa pamwechete nemi.

12:3b.JOB.012.003 Asi ini ndine njerewo semi; Handizi muduku kwamuri, Zvirokwazvo, ndianiko asingazivi zvinhu zvakadai?

12:4b.JOB.012.004 Ndakafanana nomunhu anosekwa nowaanogara naye, Munhu akadana kuna Mwari, iye akamupindura; Munhu wakarurama, akakwana, ndiye wosekwa.

12:5b.JOB.012.005 Munhu anogara akafara hake anoshora pamifungo yake munhu uri panjodzi. Kushorwa kunogarira vanhu vanotedzemuka norutsoka rwavo.

12:6b.JOB.012.006 Matende amakororo anofara hawo, Avo vanotsamwisa Mwari vanogara havo zvakanaka; Ivo vanozadzirwa ruoko rwavo naMwari.

12:7b.JOB.012.007 Asi bvunzai henyu zvino mhuka, dzichakudzidzisai Neshiri dzokudenga, dzichakuudzai;

12:8b.JOB.012.008 Kana taurai henyu nenyika, ichakudzidzisai; Nehove dzegungwa dzichakuparidzirai.

12:9b.JOB.012.009 Ndianiko asingazivi pazvinhu izvi zvose, Kuti ndirwo ruoko rwaJehovha rwakaita izvi zvose?

12:10b.JOB.012.010 Mweya wezvipenyu zvose uri muruoko rwake, Nokufema kwavanhu vose.

12:11b.JOB.012.011 Ko nzeve haiidzi mashoko, Somukanwa unoravira zvokudya here?

12:12b.JOB.012.012 Vatana ndivo vakangwara, Vana mazuva mazhinji ndivo vanonzwisisa.

12:13b.JOB.012.013 Iye ndiye anokungwara nesimba, Ndiye anamano nokunzwisisa.

12:14b.JOB.012.014 Tarirai, iye anokoromora, hazvingavakwizve; Iye anopfigira munhu, haangazozarurirwi.

12:15b.JOB.012.015 Tarirai, iye anodzivisa mvura, ndokupwa kwayo; Uye anoitumazve, ndokushandura kwayo nyika.

12:16b.JOB.012.016 Iye ane simba nokungwara kukuru; Akanyengerwa nounonyengera ndavake vose.

12:17b.JOB.012.017 Unokanganisa mano amanevanje, Vatongi anovaita mapenzi.

12:18b.JOB.012.018 Anosunungura simba ramadzimambo, Ndokusunga zviuno zvavo negwarada.

12:19b.JOB.012.019 Anotorera vapirisiti ukuru hwavo, Nokukunda vane simba.

12:20b.JOB.012.020 Anotorera vakatenda mashoko avo, Nokubvisira vakuru kunzwisisa

12:21b.JOB.012.021 Anodurura kushoora kwake pamusoro pamachinda, Nokusunungura bhanhire ravane simba.

12:22b.JOB.012.022 Anofukura zvinhu zvakadzika parima, Anobudisira kuchiedza mumvuri worufu.

12:23b.JOB.012.023 Anowanza ndudzi, ndokudziparadza, Anoparadzira ndudzi kwose, ndokudzitapa.

12:24b.JOB.012.024 Anobvisa kunzwisisa kwavakuru vavanhu venyika, Anovadzungairisa murenje musine nzira.

12:25b.JOB.012.025 Vanotsvangadzira murima vasina chiedza, Anovadzengedzekesa somunhu akabatwa.

13

13:1b.JOB.013.001 Tarirai, ziso rangu rakaona izvi zvose, Nzeve yangu yakazvinzwa nokuzvinzwisisa.

13:2b.JOB.013.002 Zvamunoziva imi, ndinozvizivawo; Handizi muduku kwamuri.

13:3b.JOB.013.003 Zvirokwazvo, ndinoda kutaura nowaMasimbaose, Ndinoda kuzvidavira kuna Mwari.

13:4b.JOB.013.004 Asi imi munofukidza zvose nenhema dzenyu, Imi mose muri nanga dzisina maturo.

13:5b.JOB.013.005 Haiwa! Dai muchinyarara mose! Ndiko kwaiva kungwara kwenyu!

13:6b.JOB.013.006 Zvino chinzwai kuzvidavira kwangu, Teererai munzwe ndichizvirevera nemiromo yangu.

13:7b.JOB.013.007 Munoda kurwira Mwari muchitaura zvisakarurama here? Nokureva zvinonyengera nokuda kwake here?

13:8b.JOB.013.008 Munoda kuva nehanya naye here? Munoda kurwira Mwari kanhi?

13:9b.JOB.013.009 Ko zvakanaka kana iye achikunzverai here? Imi mungamunyengera, sezvamunganyengera munhu here?

13:10b.JOB.013.010 Zvirokwazvo iye achakutukai, Kana mukava nehanya pakavanda.

13:11b.JOB.013.011 Ukuru hwake haungakutyisiyi here? Haangakutyisiyi zvikuru here?

13:12b.JOB.013.012 Mashoko enyu enjere ishumo dzamadota, Nhare dzenyu inhare dzevhu.

13:13b.JOB.013.013 Nyararai, ndiregei nditaure, Ndiwirwe hangu nezvandingawirwa nazvo.

13:14b.JOB.013.014 Ndicharumireiko nyama yangu nameno angu, Nokubata upenyu hwangu muruoko rwangu?

13:15b.JOB.013.015 Kunyange akandiuraya hake, ndichamumirira hangu; Kunyange zvakadaro ndichazvidavirira hangu pamberi pake pamusoro pomufambiro wangu.

13:16b.JOB.013.016 Ndirwowo ruchava ruponeso rwangu, Kuti munhu asingatendi Mwari haangasviki pamberi pake.

13:17b.JOB.013.017 Inzwai zvakanaka kutaura kwangu, Kuparidza kwangu kupinde nzeve dzenyu.

13:18b.JOB.013.018 Tarirai zvino, ndarongedza mhaka yangu; Ndinoziva kuti ndicharuramisirwa.

13:19b.JOB.013.019 Ndianiko achaita nharo neni? Nokuti zvino ndinganyarara hangu, ndikafa.

13:20b.JOB.013.020 Asi regai henyu kundiitira zvinhu zviviri, Ipapo handingavandi pamberi penyu;

13:21b.JOB.013.021 Bvisai ruoko rwenyu kure neni; Kutyisa kwenyu kurege kundivhundusa.

13:22b.JOB.013.022 Ipapo mudane imi, ini ndichapindura; Kana ini nditaure hangu, imi mundipindure.

13:23b.JOB.013.023 Zvakaipa zvangu nezvivi zvangu zvinganiko? Ndizivisei kudarika kwangu nechivi changu.

13:24b.JOB.013.024 Munovanzireiko chiso chenyu, Muchiti ndiri muvengi wenyu?

13:25b.JOB.013.025 Munoda kuvhundusa shizha rinopepereswa here? Munoda kudzingana namakoto akaoma here?

13:26b.JOB.013.026 Munotonga zvinhu zvinovava pamusoro pangu, Munondidyisa nhaka yezvakaipa Zvujaya hwangu;

13:27b.JOB.013.027 Munomana makumbo angu mumatanda, nokucherekedza nzira dzangu dzose; Munotarira tsoka dzamakumbo angu muganhu;

13:28b.JOB.013.028 Kunyange ndakafanana nechinhu chakaora chinopera, Senguvo yapedzwa nezvivhundudzi.

14

14:1b.JOB.014.001 Munhu akazvarwa nomukadzi anamazuva mashoma, azere nokutambudzika.

14:2b.JOB.014.002 Anobuda seruva, ndokusvava; Anotizawo somumvuri, haagari.

14:3b.JOB.014.003 Ko munotarira munhu akadai nameso enyu, Muchinditonga here?

14:4b.JOB.014.004 Ndianiko angabudisa chinhu chakanaka pane chakaipa? Hakuna.

14:5b.JOB.014.005 Mazuva ake zvaakatarwa, mwedzi yake yakaverengwa nemi, Makamutarira miganho yaasingatenderwi kudarika;

14:6b.JOB.014.006 Regai kumucherekedza, azorore, Kusvikira apedza zuva rake somubatiri.

14:7b.JOB.014.007 Nokuti kana muti uchinge watemwa, kune tariro kuti uchabudazve, Uye kuti davi rawo nyoro haringaperi.

14:8b.JOB.014.008 Kunyange mudzi wawo ukakwegurira muvhu, Nehunde yawo ikafa pasi;

14:9b.JOB.014.009 Kunyange zvakadaro uchabukira kana wanzwa kunhuwira kwemvura, Ndokubudisa matavi somuti muduku.

14:10b.JOB.014.010 Asi munhu anofa, akaparara hake; Zvirokwazvo munhu anorega kufema, zvino aripiko?

14:11b.JOB.014.011 Mvura inopera pagungwa, Uye rwizi runopera nokupwa;

14:12b.JOB.014.012 Saizvozvo munhu anovata pasi, akasamukazve; Havazomukizve kusvikira denga rapera, Havangamutswi pahope dzavo.

14:13b.JOB.014.013 Dai muchindivanza henyu paSheori, Muchindichengeta pakavanda, kusvikira hasha dzenyu dzapfuura, Munditemere nguva yakatarwa, yamungandirangarira nayo.

14:14b.JOB.014.014 Kana munhu achinge afa, angararamazve here? Ndaimira hangu mazuva ose okutambudzika kwangu, Kusvikira kusunungurwa kwangu kuchisvika.

14:15b.JOB.014.015 Maizodana, ini ndikakupindurai; Maishuva basa ramaoko enyu.

14:16b.JOB.014.016 Asi zvino munoverenga nhambwe dzangu;

14:17b.JOB.014.017 Kudarika kwangu kwakasungirwa muhombodo, Munosunga zvakaipa zvangu.

14:18b.JOB.014.018 Gomo kana richiwa zvirokwazvo rinopfupfunyuka, Uye dombo rinobviswa panzvimbo yaro;

14:19b.JOB.014.019 Mvura inochera mabwe; Kuyerera kwayo kunokukura guruva renyika;. Imi munoparadza tariro yomunhu.

14:20b.JOB.014.020 Munomukunda nokusingaperi, iye akapfuura hake; Munoshandura chiso chake, ndokumudzinga.

14:21b.JOB.014.021 Vana vake vanokudzwa iye asingazvizivi; Vanoderedzwa, asi iye haaoni vachiitirwa izvozvo.

14:22b.JOB.014.022 Asi kana ari iye, nyama yake inorwadziwa, Mweya wake unochema mukati make.

15

15:1b.JOB.015.001 Ipapo Erifazi muTemani akapindura, akati,

15:2b.JOB.015.002 Ko munhu, ane njere, angapindura nenjere dzisina maturo Nokuzadza dumbu rake nemhepo inobva mabvazuva here?

15:3b.JOB.015.003 Angaita nharo nokutaura zvisingabatsire, Kana mashoko aasingagoni kubata basa rakanaka nawo here?

15:4b.JOB.015.004 Zvirokwazvo iwe unorasha kutya Mwari, Nokukanganisa vanoda kufunga Mwari.

15:5b.JOB.015.005 Nokuti zvakaipa zvako zvinodzidzisa muromo wako, Unotsaura rurimi rwavanyengeri.

15:6b.JOB.015.006 Muromo wako ndiwo unokupa mhosva, handizini. Zvirokwazvo miromo yako inokupupurira zvakaipa.

15:7b.JOB.015.007 Ko ndiwe wakatanga kuzvarwa kanhi? Kana wakaberekwa makomo asati avapo here?

15:8b.JOB.015.008 Iwe wakanzwa mano akavanzika aMwari kanhi? Ndiwe woga wakazviwanira njere kanhi?

15:9b.JOB.015.009 Unozivei iwe zvatisingaziviwo isu? Unonzwisisei iwe zvisati zviri matiriwo?

15:10b.JOB.015.010 Vakachena vhudzi navatana vakwegura kwazvo vanesu, Vakapfuura baba vako kwazvo pazero.

15:11b.JOB.015.011 Ko kunyaradza kwaMwari hakukuringani here, Neshoko rinotaurwa nounyoro kwauri here,

15:12b.JOB.015.012 moyo wako unokurashirei? Meso ako anobwaireiko?

15:13b.JOB.015.013 Zvaunorwa naMwari nomweya wako, Uchitendera mashoko akadai kubuda pamuromo wako.

15:14b.JOB.015.014 Munhu chinyiko? Angava akanaka sei? Naiye akazvarwa nomukadzi, angava akarurama sei?

15:15b.JOB.015.015 Tarira, haatendi vatsvene vake; Zvirokwazvo, kudenga hakuna kunaka pamberi pake.

15:16b.JOB.015.016 Ndoda munhu anosemesa, akaora, Munhu anonwa zvakaipa semvura.

15:17b.JOB.015.017 Ndichakuratidza, chiteerera; Ndichakududzira zvandakaona.

15:18b.JOB.015.018 (Zvakarehwa navanhu vakangwara Zvavakanzwa kumadzibaba avo, vasina kuzvivanza;

15:19b.JOB.015.019 Ivo vakanga vapiwa nyika voga, Hakuna mutorwa akapinda pakati pavo;)

15:20b.JOB.015.020 Munhu akaipa anotambudzika achirwadziwa mazuva ake ose, Iwo makore akatarirwa mumanikidzi.

15:21b.JOB.015.021 inzwi rezvinotyisa riri munzeve dzake; Muparadzi achamusvikira akafara.

15:22b.JOB.015.022 Haatendi kuti achadzokazve achibva parima, Anovandirwa nomunondo.

15:23b.JOB.015.023 Unofamba-famba achitsvaka zvokudya, achiti, Zviripiko? Anoziva kuti zuva rerima riri pedo naye,

15:24b.JOB.015.024 Njodzi nokutambudzika zvinomutyisa; Zvinomukunda, samambo akazvigadzirira kurwa.

15:25b.JOB.015.025 Nokuti akatambanudzira ruoko rwake kuzorwa naMwari, Akazvikudza pamberi powaMasimbaose;

15:26b.JOB.015.026 Anomhanyira kwaari anomutsipa mukukutu, Namakwande makobvu enhovo dzake.

15:27b.JOB.015.027 Nokuti akafukidza chiso chake namafuta, Akaunganidza mafuta mazhinji pachiuno chake.

15:28b.JOB.015.028 Akagara pamaguta akanga ava matongo, Padzimba dzisina kufanira kugarwa nomunhu, Dzaikarokushanduka matongo.

15:29b.JOB.015.029 Iye haangavi mufumi, fuma yake haingagari, Nezvibereko zvazvo hazvingaremberi pasi.

15:30b.JOB.015.030 Haangabvi parima; Murazvo womoto uchawomesa matavi ake, Uchabviswa nomweya womuromo waMwari.

15:31b.JOB.015.031 Ngaarege kuvimba nezvisina maturo, achizvinyengera; Nokuti mubairo wake uchava zvisina maturo.

15:32b.JOB.015.032 Zvichaitwa nguva yake isinokusvika, davi rake haringavi nyoro.

15:33b.JOB.015.033 Achazuka mazambiringa ake agere kuibva somuzambiringa, Uchazuka maruva ake somuorivhi.

15:34b.JOB.015.034 Nokuti ungano yavasingadi Mwari haingabereki, Moto uchapedza matende avafufuri.

15:35b.JOB.015.035 Vane mimba yezvakashata, vanobereka zvakaipa, Dumbu ravo rinogadzira kunyengera.

16

16:1b.JOB.016.001 Ipapo Jobho akapindura, akati,

16:2b.JOB.016.002 Ndatonzwa hangu mashoko mazhinji akadai; Imi mose muri vanyaradzi pasina.

16:3b.JOB.016.003 Ko mashoko asina maturo achapera here? Chinyiko chinokugombedzera kupindura?

16:4b.JOB.016.004 Neniwo ndaigona kutaura semi; Kana mweya yenyu yaiva panzvimbo yomweya wangu, Ndaigonawo kubatanidza mashoko pamusoro penyu, Ndaikudzungudzirai musoro wangu.

16:5b.JOB.016.005 Asi ndingadai ndaikusimbisai nomuromo wangu, Nokuvaraidza kwemiromo yangu kwaikuremudzai.

16:6b.JOB.016.006 Kunyange ndichitaura hangu, kuchema kwangu hakuremudzwi; Kunyange ndikarega hangu, ndinotapudzirwa neiko?

16:7b.JOB.016.007 Asi zvino iye andinetsa, Imi maparadza mhuri yangu yose.

16:8b.JOB.016.008 Imi makandibata nesimba, ndizvo zvinondipupurira; Kuonda kwangu kunondimukira, Kunondipupurira zvakaipa pachena.

16:9b.JOB.016.009 Iye akandibvarura pakutsamwa kwake, akandivenga; Akarumanya meno ake pamusoro pangu; Mudzivisi wangu anondiwetsera meso ake.

16:10b.JOB.016.010 Vakandishamisira miromo yavo Vakandirova padama, vachindituka, Vanoungana kuzorwa neni.

16:11b.JOB.016.011 Mwari anondiisa kuna vasakarurama; Anondikanda pamaoko avakaipa.

16:12b.JOB.016.012 Ndakanga ndichizorora hangu, iye akandivhuna; Zvirokwazvo akandibata nomumutsipa, akandiputsanya; Akandiita chiposherwa chake.

16:13b.JOB.016.013 Miseve yake inondikomba kumativi ose; Anopamura itsvo dzangu, asinganzwiri nyasha; Anodururira nduru yangu pasi.

16:14b.JOB.016.014 Anondikoromora nokukoromora-koromora; Anomhanyira kwandiri semhare.

16:15b.JOB.016.015 Ndakasonera masaga paganda rangu, Ndakaradzika runyanga rwangu muguruva.

16:16b.JOB.016.016 Chiso changu chatsvuka nokuchema. Mumvuri worufu uri pamafungiro ameso angu.

16:17b.JOB.016.017 Kunyange maoko angu asingadi hawo kuparadza, Nokunyengetera kwangu kwakanaka hako.

16:18b.JOB.016.018 Iwe nyika, rega hako kufukidza ropa rangu; Kuchema kwangu ngakushaiwe nzvimbo yokuzorora.

16:19b.JOB.016.019 Nazvino, tarirai, chapupu changu chiri kudenga, Iye, anondipupurira zvakanaka, ari kumusoro.

16:20b.JOB.016.020 Shamwari dzangu dzinondishora, Asi ziso rangu rinodurura misodzi yangu pamberi paMwari.

16:21b.JOB.016.021 Kuti aruramisire munhu pamberi paMwari, NoMwanakomana womunhu pamberi powokwake.

16:22b.JOB.016.022 Nokuti kana makore mashoma apfuura, Ndichafamba nenzira yandisingazodzokizve nayo.

17

17:1b.JOB.017.001 Mweya wangu wapera, mazuva angu adzima, Hwiro hunondimirira.

17:2b.JOB.017.002 Zvirokwazvo, vanondiseka vaneni; Ziso rangu rinoramba richiona kutsamwa kwavo.

17:3b.JOB.017.003 Zvino ndipikirei, muve rubatso rwangu kwamuri; Ndianiko achabatana maoko neni?

17:4b.JOB.017.004 Nokuti makavanzira moyo yavo kunzwisisa; Naizvozvo hamungavakudzi.

17:5b.JOB.017.005 Iye, anokwirira shamwari dzake kuti dzitapwe, Meso avana vake achapera.

17:6b.JOB.017.006 Iye akandiita shumo pakati pavanhu; Ndinosemwa pachena.

17:7b.JOB.017.007 Ziso rangu harichaoni nemhaka yokuchema, Mitezo yangu yose yafanana nomumvuri.

17:8b.JOB.017.008 Vanhu vakarurama vachakanuka nazvo, Asine mhaka achamukira vasingadi Mwari.

17:9b.JOB.017.009 Kunyange zvakadaro wakarurama acharambira panzira yake, Uye ana maoko akanaka acharamba achisimba.

17:10b.JOB.017.010 Asi imi mose dzokai, muuye zvino; Nokuti handingawani munhu akangwara pakati penyu.

17:11b.JOB.017.011 Mazuva angu apfuura, zvandaivavarira zvakona, Iyo mifungo yomoyo wangu.

17:12b.JOB.017.012 Vanoshandura usiku ave masikati; Vanoti, Chiedza chiri pedo nerima.

17:13b.JOB.017.013 Kana ndine tariro, Sheori ndiyo imba yangu; Ndakawadza nhovo yangu murima;

17:14b.JOB.017.014 Ndakati kuhwiro, Ndiwe baba vangu; Nokuhonye, Ndiwe mai vangu nehanzvadzi yangu;

17:15b.JOB.017.015 Zvino tariro yangu iripiko? Kana iri tariro yangu, ndianiko angaiona?

17:16b.JOB.017.016 Ichaburukira kumazariro eSheori, Kana zororo yavapo paguruva.

18

18:1b.JOB.018.001 Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura, akati,

18:2b.JOB.018.002 Muchateyana namashoko kusvikira rinhiko? Chimbofungai henyu, tigotaurirana pashure.

18:3b.JOB.018.003 Tinonzi mhuka neiko, Navanhu vasina kunaka pamberi penyu?

18:4b.JOB.018.004 Iwe unozvibvarura nokutsamwa kwako, Nyika ingarashwa nokuda kwako kanhi? Kana dombo ringabviswa panzvimbo yaro here?

18:5b.JOB.018.005 Zvirokwazvo, chiedza chavakaipa chichadzima, Murazvo womoto wake haungavhenekeri:

18:6b.JOB.018.006 Chiedza chichasviba patende rake, Mwenje wake pamusoro pake uchadzima.

18:7b.JOB.018.007 Nhambwe dzesimba rake dzichadzorwa, Namano ake achamuwisira pasi.

18:8b.JOB.018.008 Nokuti anowisirwa mumumbure namakumbo ake amene, Anofamba pamusoro pezvakarukwa.

18:9b.JOB.018.009 Rugombe ruchamubata chitsitsinho, Musungo uchamubatisa.

18:10b.JOB.018.010 Anovanzirwa chishwe muvhu, Nomurau panzira.

18:11b.JOB.018.011 Uchavhunduswa nezvinotyisa pamativi ose, Zvichamuteverera pedo-pedo.

18:12b.JOB.018.012 Simba rake richarumwa nenzara. Njodzi ichamugarira parutivi rwake.

18:13b.JOB.018.013 Ichapedza mitezo yomuviri wake, Dangwe rorufu richapedza mitezo yake.

18:14b.JOB.018.014 Uchadzurwa patende rake raaivimba naro; Uchaiswa kuna mambo anotyisa.

18:15b.JOB.018.015 Mutende rake munogara zvisati zviri zvake; Suriferi ichasaswa pamusoro peimba yake.

18:16b.JOB.018.016 Midzi yake ichaoma pasi, Davi rake richatemwa kumusoro.

18:17b.JOB.018.017 Haangazorangarirwi panyika; Zita rake haringazozikanwi panzira dzomumusha.

18:18b.JOB.018.018 Achadzingwa pachiedza aende kurima; Achadzingwa abve panyika.

18:19b.JOB.018.019 Haangavi nomwanakomana kana muzukuru pakati pavanhu vake, Kana mumwe akasara, paakanga agere ari mutorwa.

18:20b.JOB.018.020 Vanogara kumavirazuva vachakanuka vachiona zuva rake, Vagere kumabvazuva vachabatwa nokubvunda.

18:21b.JOB.018.021 Zvirokwazvo, ndizvo zvakaita panogara vasina kururama, Ndiyo nzvimbo yousingazivi Mwari.

19

19:1b.JOB.019.001 Ipapo Jobho akapindura, akati,

19:2b.JOB.019.002 Muchatambudza mweya wangu kusvikira rinhiko, Nokundipwanya namashoko enyu here?

19:3b.JOB.019.003 Makandituka zvino kagumi; Hamunyari zvamakanditsungirira.

19:4b.JOB.019.004 Kana ndichinge ndatadza hangu, Kutadza kwangu kuchagara neni.

19:5b.JOB.019.005 Kana imi muchida kwazvo kuzvikudza pamusoro pangu, Nokundipa mhosva muchiti ndakatukwa;

19:6b.JOB.019.006 Zivai zvino kuti ndiye Mwari asina kundiruramisa, Akandikomberedza nomumbure wake;

19:7b.JOB.019.007 Tarirai ndinochema ndichiti, Ndakaitirwa zvakaipa! Asi handinzwiki; Ndinochema kuti ndibatsirwe, asi handiruramisirwi.

19:8b.JOB.019.008 Akadzivira nzira yangu, kuti ndirege kupfuura; Akaisa rima panzira dzangu.

19:9b.JOB.019.009 Wakandibvisira kurumbidzwa kwangu, Nokunditorera korona yangu pamusoro wangu.

19:10b.JOB.019.010 Akandiputsa kumativi ose, ndakaparadzwa; Akadzura tariro yangu somuti.

19:11b.JOB.019.011 Akandimutsirawo kutsamwa kwake, Akati ndiri mumwe wavadzivisi vake.

19:12b.JOB.019.012 Hondo dzake dzinondiunganira, dzinozvigadzirira nzira kurwa neni. Dzinokomberedza tende rangu nemisasa yadzo.

19:13b.JOB.019.013 Akaisa hama dzangu kure neni, Vazikanwi vangu vava savatorwa chose kwandiri.

19:14b.JOB.019.014 Hama dzangu dzandinyengera, Shamwari dzangu, dzaindiziva, dzakandikanganwa.

19:15b.JOB.019.015 Vanogara mumba mangu, navarandakadzi vangu vanoti ndiri mubvakure; Vanondiona vachiti ndiri mweni.

19:16b.JOB.019.016 Ndinodana muranda wangu, asi haandipinduri, Kunyange ndichimunyengetera nomuromo wangu.

19:17b.JOB.019.017 Kufema kwangu kunosemesa mukadzi wangu, Ndinonyangadza vana vamai vangu.

19:18b.JOB.019.018 Kunyange navana vaduku vanondishorawo; Kana ndichisimuka, vanondipopotera.

19:19b.JOB.019.019 Shamwari dzangu dzose dzaindiziva, dzinondinzvenga, Vose vandaida vandifuratira.

19:20b.JOB.019.020 Pfupa rangu rinonamatira ganda rangu nenyama yangu, Ndasiyirwa ganda rameno angu.

19:21b.JOB.019.021 Ndinzwirei tsitsi, ndinzwirei tsitsi, imi shamwari dzangu; Nokuti ruoko rwaMwari rwandibata.

19:22b.JOB.019.022 Munonditambudzireiko saMwari, Musingaguti nenyama yangu?

19:23b.JOB.019.023 Haiwa, dai mashoko angu ainyorwa zvino, Haiwa, dai ainyorwa pabhuku.

19:24b.JOB.019.024 Dai aitemwa nepeni yedare nomutobvu Aitemwa padombo nokusingaperi.

19:25b.JOB.019.025 Asi ndinoziva kuti Mudzikunuri wangu mupenyu, Uye kuti pakupedzisira uchasimuka panyika;

19:26b.JOB.019.026 Kunyange ganda rangu richinge raparadzwa saizvozvo, Kunyange zvakadaro ndichaona Mwari ndine nyama yangu.

19:27b.JOB.019.027 Ndichamuona ari kurutivi rwangu; Meso angu achaona, asati ari omutorwa; Itsvo dzangu dzapera mukati mangu.

19:28b.JOB.019.028 Kana muchiti, Tichamutambudza sei! Mudzi wemhosva zvauri mukati make!

19:29b.JOB.019.029 Ityai munondo; Nokuti kutsamwa kucharohwa nomunondo, Kuti muzive kuti kutonga kuripo.

20

20:1b.JOB.020.001 Ipapo Zofari muNaamati akapindura, akati,

20:2b.JOB.020.002 Naizvozvo ndangariro dzangu dzinondipindura, Nokuda kwokukurumidza kuri mandiri.

20:3b.JOB.020.003 Ndakanzwa kutuka kunondinyadza, Mweya wokunzwisisa kwangu anondipindura.

20:4b.JOB.020.004 Hauzivi here kuti kubva kare-kare, Kubva pakuiswa kwomunhu panyika,

20:5b.JOB.020.005 Kuti kufara kwavakaipa hakune nguva huru, Nomufaro wavasingadi Mwari kuti ndowechinguva?

20:6b.JOB.020.006 Kunyange kukura kwake kukakwirira kusvikira kudenga, Musoro wake ukasvikira kumakore;

20:7b.JOB.020.007 Kunyange zvakadaro uchaparara nokusingaperi sendove yake; Vaimuona vachati, Aripiko?

20:8b.JOB.020.008 Achabhururuka akaenda sokurota, akasawanikwa; Zvirokwazvo, achadzingwa sechinhu chinoonekwa usiku.

20:9b.JOB.020.009 Ziso raimuona haringazomuonizve; Nyangwe nenzvimbo yake haingazomuonizve.

20:10b.JOB.020.010 Vana vake vachatsvaka tsitsi kuvarombo, Maoko avo achadzosera fuma yake.

20:11b.JOB.020.011 Mapfupa ake azere nesimba roujaya hwake, Asi achavata pasi naye paguruva.

20:12b.JOB.020.012 Kunyange kutadza kuchitapira mumuromo make, Kunyange akazvivanza pasi porurimi rwake;

20:13b.JOB.020.013 Kunyange akazvichengeta, akaramba kuzvirega, Akaramba akazvichengeta mumuromo make;

20:14b.JOB.020.014 Kunyange zvakadaro zvokudya zvake zvinoshandurwa muura hwake, Zvava nduru yemvumbi mukati make.

20:15b.JOB.020.015 Wamedza fuma, asi achairutsazve, Mwari achaibudisa mudumbu rake.

20:16b.JOB.020.016 Achasveta uturu hwemvumbi; Rurimi rwenyoka ruchamuuraya.

20:17b.JOB.020.017 Haangatariri nzizi, Nehova dzizere nouchi namafuta.

20:18b.JOB.020.018 Zvaakabatira achazvidzosazve, haangazvimedzi; Haangavi nomufaro wakaenzana nefuma yake yaakawana.

20:19b.JOB.020.019 Nokuti akamanikidza nokurasha varombo; Akatora imba nesimba, asi haangaivaki.

20:20b.JOB.020.020 Zvaakanga asingazivi kudzikama mukati make, Haangachengeti chinhu chimwe chaakanga achifarira.

20:21b.JOB.020.021 Hakune chinhu chakasara chaasina kuparadza; Saka kuguma kwake, hakungarambi kuripo.

20:22b.JOB.020.022 Pakati pezvakawanda zvefuma yake achamanikidzwa; Ruoko rwomumwe nomumwe ari panjodzi rucharwa naye.

20:23b.JOB.020.023 Kana achida kugutsa dumbu rake, Mwari achatuma kutsamwa kwake kukuru pamusoro pake, Achakunisa pamusoro pake, zvive zvokudya zvake.

20:24b.JOB.020.024 Achatiza nhumbi yokurwa yamatare, Uta hwendarira huchamuboora.

20:25b.JOB.020.025 Unoivhomora, ikabuda pamuviri wake; Muromo wayo unobwinya, unobuda panduru yake; Anotya kwazvo.

20:26b.JOB.020.026 Akachengetererwa rima guru ive fuma yake, Moto usina kupfutidzwa nomunhu uchamuparadza; Uchapedza zvakasara patende rake.

20:27b.JOB.020.027 Kudenga-denga kucharatidza zvakaipa zvake, Nyika ichamumukira.

20:28b.JOB.020.028 Zvakaunganidzwa mumba make zvichibva, Nhumbi dzake dzichayerera pazuva rokutsamwa kwake.

20:29b.JOB.020.029 Ndiwo mugove womunhu akaipa waanopiwa naMwari, Nenhaka yaakatemerwa naMwari.

21

21:1b.JOB.021.001 Ipapo Jobho akapindura,, akati,

21:2b.JOB.021.002 Inzwai zvakanaka kutaura kwangu; Munyaradzwe nazvo.

21:3b.JOB.021.003 Ndiregei, nditaurewo; Kana ndapedza kutaura, mungandiseka henyu.

21:4b.JOB.021.004 Kana ndirini, ndinochema kuvanhu here? Ndingaregereiko kupera moyo?

21:5b.JOB.021.005 Nditarirei, mushamiswe, Muise ruoko rwenyu pamuromo.

21:6b.JOB.021.006 Kunyange ndozvirangarira ndinotambudzika, Kutya kukuru kunobata nyama yangu.

21:7b.JOB.021.007 Vakaipa vanoraramireiko, Vachikwegura nokuwedzerwa simba here?

21:8b.JOB.021.008 Vana vavo vanosimbiswa pamwechete navo pamberi pavo, Navazukuru vavo vachizviona nameso avo.

21:9b.JOB.021.009 Dzimba dzavo dzinorugare, hadzityiswi, Uye shamhu yaMwari haigari ichivarova.

21:10b.JOB.021.010 Hando yavo inoberekesa, isingakoni, Mhou yavo inobereka, isingasvodzi.

21:11b.JOB.021.011 Vanobudisa pwere dzavo seboka ramakwai; Vana vavo vanotamba.

21:12b.JOB.021.012 Vanoimba vachiridzirwa ngoma nembira, Vanofara vachiridzirwa nyere.

21:13b.JOB.021.013 Vanopedza mazuva avo vachifara, Vanoburukira kuSheori kamwe-kamwe.

21:14b.JOB.021.014 Kunyange zvakadaro vanoti kuna Mwari, Ibvai kwatiri; Nokuti hatidi kuziva nzira dzenyu.

21:15b.JOB.021.015 Iye waMasimbaose ndianiko, kuti timushumire? Tichabatsirwa neiko kana tikanyengetera kwaari?

21:16b.JOB.021.016 Tarirai, kufara kwavo hakuzi mumaoko avo; Mano avakaipa ari kure neni.

21:17b.JOB.021.017 Ko mwenje wavakaipa unodzimwa kangani? Njodzi yavo inovavinga kanganiko? Mwari anovapavhurira kutambudzika pakutsamwa kwake kanganiko?

21:18b.JOB.021.018 Vanotongofanana namakoto anodzingwa nemhepo here? Nehundi inotorwa nedutu remhepo?

21:19b.JOB.021.019 Imi munoti, Mwari anochengetera vana vake zvakaipa. Ngaamutsive iye amene, azvizive.

21:20b.JOB.021.020 Meso ake amene ngaaone kuparadzwa kwake, Iye ngaanwe kutsamwa kwowaMasimbaose.

21:21b.JOB.021.021 Nokuti achava nehanya yeiko neimba yake kana aenda, Kana kuwanda kwemwedzi yake kwatapudzwa.

21:22b.JOB.021.022 Ndianiko angadzidzisa Mwari kuziva, Zvaari iye anotonga vari kumusoro?

21:23b.JOB.021.023 Mumwe anofa achine simba rake rose, Akafara chose anorugare.

21:24b.JOB.021.024 Mazamu ake azere nomukaka, Mwongo wamapfupa ake wakanyorova.

21:25b.JOB.021.025 Mumwe anofa ane shungu dzomoyo, Asina kutongoravira zvakanaka.

21:26b.JOB.021.026 Vanovata pasi pamwechete paguruva, Honye dzinovafukidza vose.

21:27b.JOB.021.027 Tarirai ndinoziva kufunga kwenyu, Namano akaipa amunondifungira.

21:28b.JOB.021.028 Nokuti munoti, Imba yomuchinda iripiko? Tende raigarwa nowakaipa riripiko?

21:29b.JOB.021.029 Hamuna kubvunza here vanofamba nenzira? Hamuzivi zviratidzo zvavo here?

21:30b.JOB.021.030 Kuti munhu wakaipa anodarikwa pazuva renjodzi here? Kuti vanobviswa pazuva rokutsamwa here?

21:31b.JOB.021.031 Ndianiko angamuzivisa mufambiro wake pachena? Ndiani achamutsiva zvaakaita here?

21:32b.JOB.021.032 Zvino anotakurirwa kuhwiro, Vanorinda rinda rake.

21:33b.JOB.021.033 Mavhinga omupata achamunakira, Vanhu vose vachamutevera, Sezvaakatungamirirwa navasingaverengwi.

21:34b.JOB.021.034 Zvino munondinyaradza sei nezvisina maturo, Zvamasarirwa nenhema dzoga pakupindura kwenyu?

22

22:1b.JOB.022.001 Ipapo Erifazi muTemani akapindura, akati,

22:2b.JOB.022.002 Ko munhu angabatsira Mwari here? Zvirokwazvo, munhu, akangwara, anozvibatsira hake amene.

22:3b.JOB.022.003 waMasimbaose une hanya nokururama kwako here? Iye angabatsirwa nazvo kana iwe ukakwanisa nzira dzako here?

22:4b.JOB.022.004 Iye anokuraira zvaunomutya here? Kuti akutonge here?

22:5b.JOB.022.005 Zvakaipa zvako hazvizakakura here? Zvisina kururama zvako hazviperi.

22:6b.JOB.022.006 Nokuti wakatora rubatso kuhama yako pasina Wakakusunungura nguvo dzavakanga vasina kufuka.

22:7b.JOB.022.007 Hauna kupa vane nyota mvura kuti vanwe, Wakanyima vane nzara zvokudya.

22:8b.JOB.022.008 Asi munhu ane simba, nyika ndeyake; Munhu anokudzwa, ndiye akagara mairi.

22:9b.JOB.022.009 Akadzinga chirikadzi dzisine chinhu, Maoko enherera akavhuniwa.

22:10b.JOB.022.010 Saka iwe wakapotedzwa nemisungo, Unovhunduswa pakarepo nokutya.

22:11b.JOB.022.011 Nerima, kuti arege kuona, Uye mvura zhinji inokufukidza.

22:12b.JOB.022.012 Ko Mwari haazi kudenga kumusoro-soro here? Tarira kukwirira kwenyeredzi, dzakakwirira sei!

22:13b.JOB.022.013 Iwe unoti, Mwari unoziveiko? Ungagona kutonga pakati perima guru here?

22:14b.JOB.022.014 Makore matema akamufukidza, haagoni kuona; Unofamba pakutenderera kwedenga.

22:15b.JOB.022.015 Iwe unoda kuramba uchifamba, nenzira yekare. Yakatsikwa navanhu vakaipa here?

22:16b.JOB.022.016 Ivo vakabvutwa nguva yavo isati yasvika; Nheyo dzavo dzakadururwa sorukova rwemvura.

22:17b.JOB.022.017 Ivo vakati kuna Mwari, Ibvai kwatiri; Uye, waMasimbaose angatiiteiko?

22:18b.JOB.022.018 Kunyange zvakadaro wakazadza dzimba dzavo nezvakanaka; Asi mano avakaipa ari kure neni.

22:19b.JOB.022.019 Vakarurama vanozviona, vakafara; Vasine mhosva vanovaseka, .

22:20b.JOB.022.020 Vachiti, Zvirokwazvo vakatimukira vakaparadzwa; Zvakasara zvavo zvakapedzwa nomoto.

22:21b.JOB.022.021 Shamwaridzana naye zvino, uve norugare; Ipapo uchaitirwa zvakanaka.

22:22b.JOB.022.022 Gamuchira hako murairo womuromo wake, Uchengete mashoko ake mumoyo mako.

22:23b.JOB.022.023 Kana ukadzokera kuno waMasimbaose, uchavakwa; Kana ukabvisa zvisakarurama kure namatende ako.

22:24b.JOB.022.024 Isa fuma yako paguruva, Nendarama yeOfiri pakati pamabwe ehova;

22:25b.JOB.022.025 Ipapo waMasimbaose achava fuma yako, Nesirivha inokosha kwazvo kwauri.

22:26b.JOB.022.026 Nokuti ipapo uchafarira waMasimbaose, Uchasimudzira chiso chako kuna Mwari.

22:27b.JOB.022.027 Uchanyengetera kwaari, iye achakunzwa; Uye acharipa mhiko dzako.

22:28b.JOB.022.028 Uchatemawo chirevo, chikasimbiswa kwauri; Uye chiedza chichavhenekera nzira dzako.

22:29b.JOB.022.029 Kana vakakusundira pasi, uchati, Ndichasimudzwa; Iye uchaponesa munhu anozvininipisa.

22:30b.JOB.022.030 Iye acharwira nyangwe nomunhu ane mhaka, Zvirokwazvo ucharwirwa iye nokuchena kwamaoko ako.

23

23:1b.JOB.023.001 Ipapo Jobho akapindura, akati,

23:2b.JOB.023.002 Kunyange nanhasi ndinonyunyuta ndine shungu; Kurohwa kwangu kwakanyanya kukunda kugomera kwangu.

23:3b.JOB.023.003 Haiwa! Dai ndaiziva kwandingamuwana, Kuti ndisvike ipo pachigaro chake.

23:4b.JOB.023.004 Ndairondedzera mhaka yangu pamberi pake, Ndaizadza muromo wangu nenharo.

23:5b.JOB.023.005 Ndaiziva mashoko aanopindura nawo, Ndainzwisisa zvaanondiudza.

23:6b.JOB.023.006 Angaita nharo neni nesimba rake guru here? Kwete; asi anganditeerera hake.

23:7b.JOB.023.007 Apo akarurama angataurirana naye; Kuti ndisunungurwe nokusingaperi pamutongi wangu.

23:8b.JOB.023.008 Tarira, ndinopfuura mberi, asi haapo; Uuye shure, asi handimuoni;

23:9b.JOB.023.009 Nokuruoko rworuboshwe, kana achibata, asi handigoni kumuona; Anozvivanza paruoko rworudyi, kuti ndirege kumuona.

23:10b.JOB.023.010 Nokuti iye anoziva nzira yandinofamba nayo; Kana akandiidza, ndichabuda ndakaita sendarama.

23:11b.JOB.023.011 Rutsoka rwangu rwakaramba ruchitsika paakatsika iye; Ndakarambira panzira yake, handina kutsauka.

23:12b.JOB.023.012 Handina kudzoka pamurairo wemiromo yake; Ndakachengeta sefuma mashoko omuromo wake kupfuura mugove wezvokudya zvangu.

23:13b.JOB.023.013 Asi iye anorangarira chinhu chimwe, ndianiko angamudzora? Zvinoda moyo wake, ndizvo zvaanoita.

23:14b.JOB.023.014 Nokuti anoita zvandakatemerwa; Nezvinhu zvizhinji zvakadai zviri kwaari.

23:15b.JOB.023.015 Saka ndinotambudzika pamberi pake; Kana ndichimufunga ndinomutya.

23:16b.JOB.023.016 Nokuti Mwari akatorera moyo wangu simba, waMasimbaose akandivhundusa.

23:17b.JOB.023.017 Nokuti handina kuparadzwa nokuda kwerima, Kana nokuda kwerima guru rakafukidza chiso changu.

24

24:1b.JOB.024.001 WaMasimbaose anoregereiko kutara nguva dzokutonga? Vanomuziva vanoregereiko kuona mazuva ake?

24:2b.JOB.024.002 Vanoshandura miganho varipo; Vanopamba mapoka amakwai, vachiafudza.

24:3b.JOB.024.003 Vanotinha mbongoro yenherera, Vanotora nzombe yechirikadzi vachiita rubatso.

24:4b.JOB.024.004 Vanodzinga varombo panzira; Varombo venyika vanovanda vose.

24:5b.JOB.024.005 Tarira, sembizi murenje Vanobudira kumabasa avo, vachishingairira zvokwadi; Renje rinovapa zvokudya zvavana vavo.

24:6b.JOB.024.006 Vanocheka zvavanodya kusango; Vanounganidza mazambiringa avakaipa.

24:7b.JOB.024.007 Vanovata usiku hwose vasina zvavakafuka, Pachando havana chavangazvifukidza nacho.

24:8b.JOB.024.008 Vakanyorova nokupfunha kwemvura yamakomo, Vanombundikira dombo nokushaiwa pokutizira.

24:9b.JOB.024.009 Varipo vanobvuta nherera pazamu ramai, Nokutora rubatso rwavarombo;

24:10b.JOB.024.010 Naizvozvo vanofamba vasina zvavakafuka, Vanotakura zvisote vane nzara;

24:11b.JOB.024.011 Vanosvina mafuta mukati mamasvingo avanhu ava; Vanotsika zvisviniro zvamazambiringa avo, vachifa nenyota.

24:12b.JOB.024.012 Vanhu vanogomera mukati meguta rina vanhu vazhinji, Uye mweya yavakakuvadzwa inochema; Kunyange zvakadaro Mwari haane hanya nezvisina kururama.

24:13b.JOB.024.013 Ndivo vanovenga chiedza; Havazivi nzira dzacho, Havarambi vachifamba pamakwara acho.

24:14b.JOB.024.014 Muurayi anomuka kana kwoedza, anouraya murombo neanoshaiwa; Usiku wakafanana nomubi.

24:15b.JOB.024.015 Ziso remhombwewo rinomirira rubvunzavaeni, Achiti, Hakune ziso richandiona; Ndokufukidza chiso chake.

24:16b.JOB.024.016 Usiku vanopaza dzimba; Masikati vanozvipfigira; Havazivi chiedza.

24:17b.JOB.024.017 Nokuti mangwanani akaita serima guru kwavari vose; Nokuti vanoziva kutyisa kwerima guru.

24:18b.JOB.024.018 Iye anofambisa pamusoro pemvura; Mugove wavo wakatukwa panyika; Haachafambi nenzira yeminda yemizambiringa.

24:19b.JOB.024.019 Kuoma nokupisa kunopedza mvura yechando; Ndizvo zvinoita Sheori navakatadza.

24:20b.JOB.024.020 Chizvaro chichamukanganwa; honye dzichatapirirwa Uye kusarurama kuchavhunwa somuti.

24:21b.JOB.024.021 Iye unoparadza hana isingabereki; Haaitiri chirikadzi zvakanaka.

24:22b.JOB.024.022 Anobvisa vane simba nesimba rake; Kana iye achisimuka, hakuna munhu anoziva kana achararama.

24:23b.JOB.024.023 Mwari anovagarisa vakachengetwa, vachivimba nazvo; Asi meso ake anotarira nzira dzavo.

24:24b.JOB.024.024 Vanokudzwa; gare-gare vaenda; Vanodukupiswa, vanobviswa panzira savamwe vose, Vanochekwa semisoro yehura dzezviyo.

24:25b.JOB.024.025 Kana zvisina kudaro zvino, ndiani angati ndine nhema, Nokushaisa mashoko angu simba here?

25

25:1b.JOB.025.001 Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura, akati,

25:2b.JOB.025.002 Umambo nokutyisa zvinaye; Iye unoyananisa pamatunhu ake akakwirira.

25:3b.JOB.025.003 Hondo dzake dzingaverengwa here? Ndianiko asingavhenekerwi nechiedza chake?

25:4b.JOB.025.004 Zvino munhu angava akarurama seiko pamberi paMwari? Nomunhu akazvarwa nomukadzi angava akachena sei?

25:5b.JOB.025.005 Tarira, nomwedziwo unoshaiwa kubhinya, Nenyeredzi hadzizakachena kwazvo pamberi pake.

25:6b.JOB.025.006 Ndoda munhu, iro gonye! noMwanakomana womunhu, iro gonye!

26

26:1b.JOB.026.001 Ipapo Jobho akapindura, akati, kwaari

26:2b.JOB.026.002 Iwe wakabatsira sei asine simba! Wakaponesa sei ruoko rusine simba!

26:3b.JOB.026.003 Wakapa mano sei asina kungwara, Nokududzira kwazvo zivo yazvokwadi!

26:4b.JOB.026.004 Wakataurira aniko mashoko awa? Mweya wakabuda kwauri ndowaaniko?

26:5b.JOB.026.005 Vakafa vanodedera Pasi pemvura navagere mukati mayo.

26:6b.JOB.026.006 Sheori rakashama pamberi pake, Kuparadza hakune chifukidzo.

26:7b.JOB.026.007 Anotatamura rutivi rwokumusoro pasine chiro, Anoturikira nyika pasine chinhu.

26:8b.JOB.026.008 Anosungira mvura mumakore ake makobvu; Asi gore haribvaruki nokurema kwayo.

26:9b.JOB.026.009 Anofukidza chigaro chake choushe, chirege kuonekwa,

26:10b.JOB.026.010 Akatara muganho pamusoro pemvura, Kusvikira pakuparadzana kwechiedza nerima.

26:11b.JOB.026.011 Mbiru dzedenga dzinodedera, Nokuvhunduka nokutuka kwake.

26:12b.JOB.026.012 Anomutsa gungwa nesimba rake, Nenjere dzake anoparadza Rahabhi.

26:13b.JOB.026.013 Denga rinoshongedzwa nomweya wake; Ruoko rwake rwakabaya nyoka inokurumidza.

26:14b.JOB.026.014 Tarira, izvi ndiwo mudzivo woga wenzira dzake; Haiwa, tinongonzwa zeve-zeve roga renzwi rake! Asi kutinhira kwesimba rake ndianiko angakunzwisisa?

27

27:1b.JOB.027.001 Ipapo Jobho akapfuura nokutaura kwake, akati,

27:2b.JOB.027.002 NaMwari mupenyu, iye akanditorera kururama kwangu; NowaMasimbaose akatambudza mweya wangu;

27:3b.JOB.027.003 (Nokuti upenyu hwangu huchiri mandiri chose, Nomweya waMwari uchiri mumhino dzangu;)

27:4b.JOB.027.004 Zvirokwazvo miromo yangu haingatauri zvisakarurama, Uye rurimi rwangu harungarevi zvinonyengera.

27:5b.JOB.027.005 Mwari ngaandidzivise ndirege kukururamisirai; Kusvikira parufu rwangu handingarashi kusanyengera kwangu.

27:6b.JOB.027.006 Ndinobatisa kururama kwangu, handingakuregi; moyo wangu haungandipi mhaka ndichiri mupenyu.

27:7b.JOB.027.007 Muvengi wangu ngaaite sewakaipa. Uye anondimukira ngaaite seasina kururama.

27:8b.JOB.027.008 Nokuti asingadi Mwari ane tariro yeiko, kunyange azviwanira fuma, Kana atorerwa mweya wake naMwari here?

27:9b.JOB.027.009 Ko Mwari achanzwa kuchema kwake, Kana achiwirwa nenjodzi here?

27:10b.JOB.027.010 Ko iye achafarira waMasimbaose, Nokudana kuna Mwari nguva dzose here?

27:11b.JOB.027.011 Ini ndichakudzidzisai zvoruoko rwaMwari; Izvo zvina waMasimbaose handingazvivanzi.

27:12b.JOB.027.012 Tarirai imi mose makazviona henyu; Zvino makagova vanhu vasina maturo chose neiko?

27:13b.JOB.027.013 Ndiwo mugove unopiwa munhu akaipa naMwari, Nemhaka yavamanikidzi, yavanopiwa nowaMasimbaose.

27:14b.JOB.027.014 Kana vana vake vachiwanda, vourawa nomunondo; Vana vake havangaguti zvokudya.

27:15b.JOB.027.015 Vana vake, vakasara, vachavigwa vafa, Chirikadzi dzake hadzingachemi.

27:16b.JOB.027.016 Kunyange akaunganidza sirivha ikaita seguruva, Nokugadzira zvokufuka zvikaita sevhu;

27:17b.JOB.027.017 Angazvigadzira hake iye, asi akarurama ndiye achazvifuka; Asine mhosva ndiye achagovera sirivha.

27:18b.JOB.027.018 Anovaka imba yake sechivhundudzi, Sechirindo chinoitwa nomurindi.

27:19b.JOB.027.019 Anovata pasi akafuma, asi haapamhidzizve; Anosvinudza meso ake, asi haachipo.

27:20b.JOB.027.020 Zvinotyisa zvinomubata semvura zhinji; dutu remhepo rinomubvuta usiku.

27:21b.JOB.027.021 Mhepo inobva mabvazuva inomutora ndokuenda hake; Inomutsvaira panzvimbo yake.

27:22b.JOB.027.022 Mwari achamuposha, asingamunzwiri tsitsi, Unoidza kutiza paruoko rwake.

27:23b.JOB.027.023 Vanhu vacharovana maoko pamusoro pake, Vachamuridzira muridzo abve panzvimbo yake.

28

28:1b.JOB.028.001 Nokuti mugodhi uripo panobva sirivha, Nzvimbo iripo pavanonatsa ndarama.

28:2b.JOB.028.002 Mhangura inocherwa pasi, Nendarira inonyauswa pabwe.

28:3b.JOB.028.003 Munhu anokunda rima, Anotsvakisisa kusvikira kumativi ose-ose. Mabwe ari murima guru nomumumvuri worufu.

28:4b.JOB.028.004 Anochera mugodhi kure napanogara vanhu; Vanokanganikwa norutsoka rwavanopfuura; Vanorembera kure navanhu, vachizeya uku nokuku.

28:5b.JOB.028.005 Kana iri nyika, zvokudya zvinobva mairi; Pasi pazvo pakashandurwa zvinenge nomoto.

28:6b.JOB.028.006 Pamabwe ayo ndipo panogara zvibwe zesafiro, Ano upfu hwendarama.

28:7b.JOB.028.007 Nzira iyo haizikanwi negondo, Ziso rorukodzi harina kuiona;

28:8b.JOB.028.008 Zvikara, zvinozvikudza, hazvina kupfuura napo. Shumba, ine hasha, haina kupfuura napo.

28:9b.JOB.028.009 Iye anotema dombo romusarasara noruoko rwake; Anoshandukura makomo nemidzi yawo.

28:10b.JOB.028.010 Anochera mugero pamatombo; Ziso rake rinoona zvinokosha.

28:11b.JOB.028.011 Anodzivira nzizi dzemvura dzirege kudonha; Chinhu chakavanzika anochibudisa pachena.

28:12b.JOB.028.012 Asi uchenjeri huchawanikwepiko? Kunzwisisa kunogarepi?

28:13b.JOB.028.013 Munhu haazivi mutengo wahwo; Hauwanikwi panyika yavapenyu.

28:14b.JOB.028.014 Pakadzika panoti, Hauzi mandiri; Negungwa rinoti, Hauzi mandiri.

28:15b.JOB.028.015 Haungatengwi nendarama, Nyangwe nesirivha haingaidzirwi mutengo wawo.

28:16b.JOB.028.016 Haungaenzaniswi nendarama yeOfiri, Kana nezvibwe zveonikisi inokosha kana zvesafiro.

28:17b.JOB.028.017 Ndarama negirazi hazvingaenzani nahwo; Zvishongo zvendarama yakaisvonaka hazvingatsinhaniswi nahwo.

28:18b.JOB.028.018 Korari nemapere hazvingatongorebwi; Zvirokwazvo mutengo wouchenjeri unopfuura matombo akatsvuka.

28:19b.JOB.028.019 Topazi yeItiopia haingaenzani nahwo, Haungaenzaniswi nendarama yakaisvonaka.

28:20b.JOB.028.020 Zvino huchenjeri unobvepiko? Kunzwisisa kunogarepi?

28:21b.JOB.028.021 Zvahwakavanzirwa meso avapenyu vose, Nokudzitirirwa shiri dzokudenga.

28:22b.JOB.028.022 Kuparadza noRufu zvinoti, Takanzwa guhu rahwo panzeve dzedu.

28:23b.JOB.028.023 Mwari anonzwisisa nzira yahwo, Ndiye anoziva kwahunobva.

28:24b.JOB.028.024 Nokuti anotarira kumigumo yenyika, anoona, zvose pasi pokudenga pose;

28:25b.JOB.028.025 Panguva yaanotarira mhepo kurema kwayo; Zvirokwazvo, anoyera mvura nechiyero

28:26b.JOB.028.026 Panguva yaakatemera mvura chirevo, Nemheni yomutinhiro nzira yayo.

28:27b.JOB.028.027 Panguva iyo akahuona, akahududzira; Akahusimbisa, nokuhunzvera.

28:28b.JOB.028.028 Akaudza munhu achiti, Tarira, kutya Ishe, ndihwo uchenjeri. Kurega zvakaipa ndiko kunzwisisa.

29

29:1b.JOB.029.001 Zvino Jobho akapfuurazve namashoko ake, akati,

29:2b.JOB.029.002 Haiwa, dai ndaiita hangu sapamwedzi yakare, Sapamazuva andairindwa naMwari;

29:3b.JOB.029.003 Panguva iyo mwenje wake waivhenekera pamusoro wangu, Ndaifamba ndichivhenekerwa parima nechiedza chake;

29:4b.JOB.029.004 Sezvandakanga ndakaita pamazuva okusimba kwangu, Panguva iyo hushamwari hwaMwari huchiri patende rangu;

29:5b.JOB.029.005 Panguva iyo waMasimbaose achiri neni, Navana vangu vachakandipoteredza;

29:6b.JOB.029.006 Panguva iyo pandaitsika paisukwa nomukaka wakafa, Uye dombo raindidururira nzizi dzamafuta!

29:7b.JOB.029.007 Panguva yandaibuda kusuo reguta, Panguva yandaigadzira chigaro changu padare,

29:8b.JOB.029.008 Majaya akati achindiona aivanda, Navatana vaisimuka vakaramba vamire;

29:9b.JOB.029.009 Machinda ainyarara pakutaura kwawo, Aifumbira miromo yawo;

29:10b.JOB.029.010 manzwi avakuru ainyarara, Ndimi dzavo dzainamatira mumikanwa yavo.

29:11b.JOB.029.011 Nokuti nzeve yakati ichindinzwa, ndokundiropafadza; Ziso rakati richindiona, ndokundipupurira zvakanaka.

29:12b.JOB.029.012 Nokuti ndairwira varombo vaichema, Nenhererawo, nowaishaiwa mubatsiri.

29:13b.JOB.029.013 Aikarofa aindiropafadza; Ndaiimbisa moyo wechirikadzi nomufaro.

29:14b.JOB.029.014 Ini ndaifuka kururama, naiko kwaindifukidza; Kururama kwangu kwaiva senguvo nekorona.

29:15b.JOB.029.015 Ndaiva meso amapofu, Netsoka dzavanokamhina.

29:16b.JOB.029.016 Ndaiva baba vavaishaiwa; Ndainzvera mhaka yowandakanga ndisingazivi.

29:17b.JOB.029.017 Ndaivhuna meno avasina kururama, Nokubvuta chaakanga auraya mumeno ake.

29:18b.JOB.029.018 Panguva iyo ndakati, Ndichafira mudendere rangu, Ndichawanza mazuva angu aite sejecha,

29:19b.JOB.029.019 Mudzi wangu wakatandavarira kusvikira kumvura, Dova rinovata usiku hwose padavi rangu.

29:20b.JOB.029.020 Kukudzwa kwangu kunoramba kuri kutsva, Uta hwangu hunoramba uchivandudzwa muruoko rwangu.

29:21b.JOB.029.021 Vanhu vainditeerera nokundimirira, Vainyarara kana ndichivaraira.

29:22b.JOB.029.022 Havazaitaurazve kana ini ndareva mashoko angu; Kutaura kwangu kwakadonhera pamusoro pavo.

29:23b.JOB.029.023 Vaindimirira somunhu anomirira mvura; Vaishamisa miromo yavo sevanoshamira mvura yokupedzisira.

29:24b.JOB.029.024 Ndaivasekerera kana vasingatsungi; Havana kudzima chiedza chechiso changu.

29:25b.JOB.029.025 Ndaivasanangurira nzira yavo, ndikagara sashe wavo, Ndaigara samambo pahondo, Somunhu anonyaradza vanochema.

30

30:1b.JOB.030.001 Asi zvino vaduku kwandiri vanondiseka, Ivo vandaishovora kuisa madzibaba avo pambwa dzamapoka angu.

30:2b.JOB.030.002 Simba ramaoko avo ringandibatsireiko? Ivo vakapererwa nesimba kwazvo.

30:3b.JOB.030.003 Vaonda nokushaiwa nenzara; Vanotetena ivhu rakaoma murima ramatangwaza nokuparadzwa.

30:4b.JOB.030.004 Vanotanha zvinovava pamakwenzi; Midzi yomurara ndizvo zvokudya zvavo.

30:5b.JOB.030.005 Vanodzingwa pakati pavanhu; Vanovashoverera sembavha.

30:6b.JOB.030.006 Vanofanira kugara pamipata yakasviba, Pamakomba enyika namatombo.

30:7b.JOB.030.007 Vanorira pakati pamakwenzi; Vanounganira pasi porukato.

30:8b.JOB.030.008 Ndivo vana vamapenzi, zvirokwazvo vana vavanhu vakaipa; Vakadzingwa panyika vachirohwa.

30:9b.JOB.030.009 Zvino ndava chiimbo chavo, Ndava shumo yavo.

30:10b.JOB.030.010 Vanondisema, vanomira kure neni, Havaregi kupfira mate pachiso changu.

30:11b.JOB.030.011 Nokuti iye akasunungura rukungiso rwake akanditambudza; Vakarasha tomu pamberi pangu.

30:12b.JOB.030.012 Vasina maturo vanosimuka kurudyi rwangu; Vanosundira makumbo angu, Vanozvigadzirira nzira dzavo kundiparadza.

30:13b.JOB.030.013 Vanoparadza nzira yangu, Vanowedzera njodzi yangu, Ivo vanhu vasina mubatsiri.

30:14b.JOB.030.014 Vanouya vakafanana navanopinda pakakoromoka pakuru; Vanomhanyira kwandiri pakati pamasvingo akakoromoka.

30:15b.JOB.030.015 Zvinotyisa zvandivinga, Vanodzinga kukudzwa kwangu semhepo; Kufara kwangu kwapfuura segore.

30:16b.JOB.030.016 Zvino mweya wangu wadururwa mukati mangu; Mazuva enjodzi andibata.

30:17b.JOB.030.017 Panguva yousiku mapfupa angu anoururwa mukati mangu, Uye zvinondibaya hazvizorori.

30:18b.JOB.030.018 Nesimba rake guru nguvo yangu yachinyikara; Rinondisunga sehuro dzejasi rangu.

30:19b.JOB.030.019 Iye akandiwisira mumatope, Ndava seguruva nedota.

30:20b.JOB.030.020 Ndinochema kwamuri, asi hamundidaviri; Ndimire, asi munongonditarira.

30:21b.JOB.030.021 Mashanduka hamune tsitsi neni; Munonditambudza nesimba roruoko rwenyu.

30:22b.JOB.030.022 Munondisimudza nemhepo, munonditasvisa pamusoro payo; Munondinyangarisa mudutu remhepo.

30:23b.JOB.030.023 Nokuti ndinoziva kuti muchandiisa kurufu, Nokuimba yakatarirwa vapenyu vose.

30:24b.JOB.030.024 Ko munhu, anonyura, haangatambanudzi ruoko here; Pakutambudzika kwake haangaridzi mhere here?

30:25b.JOB.030.025 Ko handina kuchema akanga ari panjodzi here? Mweya wangu wakanga usine shungu pamusoro powaishaiwa here?

30:26b.JOB.030.026 Ndakati ndichitarira zvakanaka zvakaipa zvikasvika, Ndakati ndichimirira chiedza, rima ndokusvika.

30:27b.JOB.030.027 Ura hwangu hunovira, hauzorori; Mazuva okutambudzika andivinga.

30:28b.JOB.030.028 Ndinochema ndisina mushana; Ndinosimuka pakati peungano, ndichichema kubatsirwa.

30:29b.JOB.030.029 Ndava hama yamakava, Neshamwari yemhou shiri.

30:30b.JOB.030.030 Ganda rangu rasviba, rinokwatuka kwandiri; Mapfupa angu atsva nokupisa.

30:31b.JOB.030.031 Naizvozvo mbira dzangu dzashanduka kuchema, Uye nyere yangu rava inzwi ravanochema misodzi.

31

31:1b.JOB.031.001 Ndakaita sungano nameso angu, Zvino ndingatarira musikana seiko?

31:2b.JOB.031.002 Nokuti mugove waMwari unobva kumusoro ndoweiko, Nemhaka yowaMasimbaose inobva kudenga ndeyeiko?

31:3b.JOB.031.003 Ko haizi njodzi kuna vasina kururama here, Nokuparadzwa kuna vaiti vezvakaipa here?

31:4b.JOB.031.004 Ko iye haaoni nzira dzangu, Nokuverenga nhambwe dzangu dzose here?

31:5b.JOB.031.005 Kana ndichinge ndafamba nenzira isina maturo, Norutsoka rwangu rwamhanyira zvinonyengera;

31:6b.JOB.031.006 (Ngandiidzwe pachiyero chakarurama, Kuti Mwari azive kusanyengera kwangu;)

31:7b.JOB.031.007 Kana kutsika kwangu kuchinge kwatsauka panzira, Nomoyo wangu ukatevera meso angu, Kana gwapa richinge ranamatira pamaoko angu;

31:8b.JOB.031.008 Ipapo ini ndidzvare hangu, asi mumwe ngaadye; Zvibereko zvomunda wangu ngazvidzurwe.

31:9b.JOB.031.009 Kana moyo wangu uchinge wanyengerwa nomukadzi, kana ndavandira pamukova wowandaigara naye;

31:10b.JOB.031.010 Ipapo mukadzi wangu ngaakuyire mumwe, Navamwe ngavakotamire pamusoro pake.

31:11b.JOB.031.011 Nokuti chinhu icho chivi chakashata, Zvirokwazvo, chinhu chakaipa chinofanira kurohwa navatongi.

31:12b.JOB.031.012 Nokuti ndiwo moto unopedza kusvikira pakuparadza, Ungadzura zvibereko zvangu zvose.

31:13b.JOB.031.013 Kana ndichinge ndazvidza mhaka yomuranda wangu kana murandakadzi wangu, Panguva yavakaita nharo neni;

31:14b.JOB.031.014 Ndichaiteiko kana Mwari akasimuka? Kana akandivinga, ndingapindurei kwaari?

31:15b.JOB.031.015 Akandiita mudumbu ramai haazi iye akamuitawo here? Ko haazi mumwe akatiumba isu tose mudumbu ramai here?

31:16b.JOB.031.016 Kana ndichinge ndanyima varombo zvavakakumbira, Kana kushaisa meso echirikadzi;

31:17b.JOB.031.017 Kana ndichinge ndadya chimedu changu ndiri ndoga, Nherera ikasadyawo;

31:18b.JOB.031.018 (Kwete, kubva paujaya hwangu yakakurira kwandiri ndikaita sababa vayo, Ndaiva muperekedzi wayo kubva padumbu ramai vangu;)

31:19b.JOB.031.019 Kana ndichinge ndaona munhu achiparara nokushaiwa nguvo, Kana anoshaiwa asina chokufuka;

31:20b.JOB.031.020 Kana chiuno chake chisina kundivonga, Kana asina kudziyirwa nemvere dzamakwai angu;

31:21b.JOB.031.021 Kana ndichinge ndasimudzira nherera ruoko rwangu, Nokuti ndakaona kuti ndichabatsirwa pasuo;

31:22b.JOB.031.022 Ipapo fudzi rangu ngaribve pabendekete, Ruoko rwangu ngaruvhunike papfupa.

31:23b.JOB.031.023 Nokuti njodzi inobva kuna Mwari yakandityisa, Ndakakoniwa kuita chinhu nokuda kwoumambo hwake.

31:24b.JOB.031.024 Kana ndichinge ndavimba nendarama ikava tariro yangu Ndikati kundarama yakaisvonaka, Ndinovimba newe.

31:25b.JOB.031.025 Kana ndichinge ndakafara nokuti fuma yangu yakanga yawanda, Uye nokuti ruoko rwangu rwakanga rwawana zvizhinji;

31:26b.JOB.031.026 Kana ndichinge ndaona kubwinya kwezuva, Kana mwedzi uchifamba wakachena;

31:27b.JOB.031.027 moyo wangu ukanyengerwa pakavanda, Muromo wangu ukatsvoda ruoko rwangu;

31:28b.JOB.031.028 Nechinhu ichowo chaiva chaipa chinofanira kurohwa navatongi; Nokuti ndinenge ndaramba Mwari ari kumusoro.

31:29b.JOB.031.029 Kana ndichinge ndafarira kuparadzwa kwomuvengi wangu, Kana kuzvikudza panguva yaakavingwa nezvakaipa;

31:30b.JOB.031.030 (Zvirokwazvo handina kutendera muromo wangu kutadza, Ndichikumbira nokupanjira kuti afe;)

31:31b.JOB.031.031 Kana vanhu vetende rangu vasina kutaura, vachiti, Ndianiko angawana munhu usina kugutiswa nenyama yake?

31:32b.JOB.031.032 Mweni haana kuvata vusiku panzira dzomumusha; Asi ndaizarurira mufambi mikova yangu;

31:33b.JOB.031.033 dai ndaifukidza kudarika kwangu saAdhama, Ndichivanza zvakaipa zvangu pachipfuva changu;

31:34b.JOB.031.034 Zvandaitya vanhu vazhinji, Ndikavhunduswa nokushorwa namapoka avanhu, Ndikanyarara, ndikasabuda pamukova,

31:35b.JOB.031.035 Haiwa, dai ndaiva nomunhu anondinzwa! (Tarirai, ndirwo runyoro rwangu, waMasimbaose ngaandipindure;) dai ndaiva norugwaro rwakanyorwa nomudzivisi wangu!

31:36b.JOB.031.036 Zvirokwazvo, ndairutakura pafudzi rangu; Ndairudzika pamusoro wangu sekorona.

31:37b.JOB.031.037 Ndaimududzira kuwanda kwenhambwe dzangu; Ndaiswedera kwaari somuchinda.

31:38b.JOB.031.038 Kana munda wangu ukadanidzira kwandiri, uchindipa mhosva, Nemihoronga yawo ikachema yose;

31:39b.JOB.031.039 Kana ndichinge ndadya zvibereko zvawo ndisina kutenga, Kana ndichinge ndarashisa varidzi vawo upenyu hwavo;

31:40b.JOB.031.040 Ipapo hutumbambeva ngahumerepo panzvimbo yezviyo, Nesora panzvimbo yebhari. Mashoko aJobho apera.

32

32:1b.JOB.032.001 Zvino varume ava vatatu vakarega kupindura Jobho, nokuti akati ndakarurama hangu.

32:2b.JOB.032.002 Ipapo Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, weimba yaRami, akatsamwa kwazvo; akatsamwira Jobho kwazvo, nokuti akanga azviruramisa kupfuura Mwari.

32:3b.JOB.032.003 Akatsamwirawo kwazvo shamwari dzake nhatu, nokuti vakanga vashaiwa mhinduro, kunyange zvakadaro vakanga vapa havo Jobho mhosva.

32:4b.JOB.032.004 Zvino Erihu akanga amirira kutaura naJobho, nokuti ivo vaiva vakuru kwaari pazero.

32:5b.JOB.032.005 Zvino Erihu akati achiona kuti hapene mhinduro pamiromo yavanhu ava vatatu, iye akatsamwa kwazvo. Makore mazhinji haauyisi uchenjeri, asi Mweya waMwari

32:6b.JOB.032.006 Zvino Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi wakapindura, akati, Ini ndiri muduku, asi imi mava vakuru kwazvo; Saka ndakazvidzora hangu, ndikatya kukuzivisai kufunga kwangu.

32:7b.JOB.032.007 Ndakati, Vana mazuva mazhinji ngavataure havo, Vana makore mazhinji ngavadzidzise vamwe uchenjeri.

32:8b.JOB.032.008 Asi mweya uripo pamunhu, Kufuridzira kwowaMasimbaose kunovapa kunzwisisa.

32:9b.JOB.032.009 Havazi vakuru vakachenjera, Kana vatana vanonzwisisa kururamisira.

32:10b.JOB.032.010 Saka ndakati, Chindinzwai; Neniwo ndichakuzivisai kufunga kwangu.

32:11b.JOB.032.011 Tarirai, ndakambomirira mashoko Ndakateerera kuti ndinzwe nharo dzenyu, Nguva yamakatsvaka zvamungataura.

32:12b.JOB.032.012 Zvirokwazvo, ndakakucherekedzai, Asi tarirai, hakuna munhu akapwisa Jobho. Kana akapindura mashoko ake pakati penyu.

32:13b.JOB.032.013 Chenjerai, murege kuti, Takawana huchenjeri; Mwari ndiye angamukunda, asi munhu kwete;

32:14b.JOB.032.014 Nokuti haana kutaura mashoko ake kwandiri; Neni handingamupinduri iye nokutaura kwenyu.

32:15b.JOB.032.015 Vashamiswa, havachapinduri; Havachine shoko ravangataura.

32:16b.JOB.032.016 Ko ini ndingamirira, zvavasingatauri ivo, Zvavanoramba vamire, vasina chavangapindura here?

32:17b.JOB.032.017 Neniwo ndichapindura padzoro rangu, Neniwo ndichazivisa kufunga kwangu.

32:18b.JOB.032.018 Nokuti ndizere namashoko; Mweya, uri mukati mangu, unondimanikidza.

32:19b.JOB.032.019 Tarirai, mukati mangu makafanana newaini isina pokubuda napo; Zvakafanana nehombodo itsva dzinokaroparuka.

32:20b.JOB.032.020 Ndichataura, kuti ndiremudzwe, Ndichashamisa miromo yangu ndipindure.

32:21b.JOB.032.021 Ndirege hangu kutsaura munhu upi noupi; Uye handingatumidzi ani nani mazita anobata kumeso.

32:22b.JOB.032.022 Nokuti handizivi kutumidza mazita anobata kumeso; Zvimwe Muiti wangu angakurumidza kundibvisa.

33

33:1b.JOB.033.001 Asi Jobho, chidonzwai henyu kutaura kwangu, Teererai mashoko angu ose.

33:2b.JOB.033.002 Tarirai zvino, ndashamisa muromo wangu, Rurimi rwangu rwataura mumuromo wangu,

33:3b.JOB.033.003 Mashoko angu achadudzira kururama kwomoyo wangu; Miromo yangu ichataura izvo zvainoziva nezvokwadi.

33:4b.JOB.033.004 Mweya waMwari wakandiita, Kufuridzira kwowaMasimbaose kunondipa upenyu.

33:5b.JOB.033.005 Kana mukagona, chindipindurai henyu; Gadzirai mashoko enyu pamberi pangu, simukai henyu.

33:6b.JOB.033.006 Rairai, ini ndakafanana nemi pamberi paMwari; Neniwo ndakaumbwa nevhu.

33:7b.JOB.033.007 Tarirai, kutyisa kwangu hakungakutyisiyi imi, Uye handingakuremedziyi.

33:8b.JOB.033.008 Zvirokwazvo, makataura ini ndichizvinzwa, Ndakanzwa inzwi ramashoko enyu, richiti,

33:9b.JOB.033.009 Ndakanaka, handina kudarika; Handine mhosva, hapana zvakaipa mukati mangu;

33:10b.JOB.033.010 Tarirai, iye unowana mhosva kuti arwe neni, Anonditi muvengi wake.

33:11b.JOB.033.011 Anomana makumbo angu mumatanda, Anocherekedza nzira dzangu dzose.

33:12b.JOB.033.012 Tarirai, ndichakupindurai, pachinhu ichi hamuna kururama, Nokuti Mwari mukuru kupfuura munhu.

33:13b.JOB.033.013 Munorwireiko naye? Nokuti haazvidaviriri pamashoko ake ose.

33:14b.JOB.033.014 Nokuti Mwari anotaura kamwechete, Kana kaviri, asi munhu haane hanya nazvo.

33:15b.JOB.033.015 Pakurota, kana pane zvinoonekwa usiku, Kana munhu abatwa nehope kwazvo, Kana avete panhovo;

33:16b.JOB.033.016 Ipapo unodziura nzeve dzavanhu, Nokusimbisa kurairwa kwavo,

33:17b.JOB.033.017 Kuti adzore munhu pakuvavarira zvakaipa, Nokuvanzira munhu kuzvikudza;

33:18b.JOB.033.018 Kuti adzore mweya wake pagomba. Upenyu hwake hurege kuparadzwa nomunondo.

33:19b.JOB.033.019 Unorangwawo achirwadziwa panhovo yake, Nokutambudzika nguva dzose mumapfupa ake;

33:20b.JOB.033.020 Naizvozvo hupenyu hwake hunosema zvokudya, Nomoyo wake zvokudya zvinonaka.

33:21b.JOB.033.021 Nyama yake inopedzwa, haichaonekwi, Mapfupa ake, akanga asingaonekwi, anobudira kunze.

33:22b.JOB.033.022 Zvirokwazvo mweya wake unoswedera kugomba, Nohupenyu hwake kuvaparadzi.

33:23b.JOB.033.023 Kana mutumwa akasvika kwaari, Ari mushanduri, mumwe pakati pavane zviuru zvamazana, Kuti aratidze munhu nzira yakarurama;

33:24b.JOB.033.024 Mwari akamunzwira tsitsi, akati, Murwirei arege kuburukira kugomba, Ndawana dzikunuro.

33:25b.JOB.033.025 Nyama yake ichava itsva kupfuura yomwana; Achadzokera kumazuva ouduku hwake.

33:26b.JOB.033.026 Anonyengetera kuna Mwari, iye achimufarira; Naizvozvo anotarira chiso chake nomufaro; Akadzosera munhu kururama kwake.

33:27b.JOB.033.027 Uchaimba pamberi pavanhu, achiti, Ndatadza, ndakanganisa zvakarurama, Asi hazvina kundibatsira;

33:28b.JOB.033.028 Iye akarwira mweya wangu urege kuburukira kugomba, Hupenyu hwangu huchaona chiedza.

33:29b.JOB.033.029 Tarirai, Mwari unoita zvinhu izvi zvose, Kaviri kana katatu nomunhu,

33:30b.JOB.033.030 Kuti adzose mweya wake pagomba, Kuti avhenekerwe nechiedza chavapenyu.

33:31b.JOB.033.031 Cherekedzai zvakanaka, Jobho, mundinzwei; Nyararai, ini nditaure.

33:32b.JOB.033.032 Kana mune shoko rokureva, ndipindur ei, Taurai, nokuti ndinoda kukururamisirai.

33:33b.JOB.033.033 Kana musingadi, nditeererei; Nyararai, ini ndikudzidzisei huchenjeri.

34

34:1b.JOB.034.001 Ipapo Erihu akapindura, akati,

34:2b.JOB.034.002 Inzwai mashoko angu, imi vanhu vakachenjera; Rerekai nzeve dzenyu kwandiri, imi mune zivo.

34:3b.JOB.034.003 Nokuti nzeve ndiyo inoidza mashoko, Sezvinoravira mukanwa zvokudya.

34:4b.JOB.034.004 Ngatizvitsanangurire zvakarurama; Ngatizive tose kuti zvakanaka ndezvipi.

34:5b.JOB.034.005 Nokuti Jobho akati, Ndakarurama, Asi Mwari akanditorera kururama kwangu;

34:6b.JOB.034.006 Kunyange ndakarurama hangu, ndinonzi ndine nhema; Pandakakuvadzwa hapangapori, kunyange ndisina kudarika.

34:7b.JOB.034.007 Ndianiko akafanana naJobho, Anonwa kushorwa semvura?

34:8b.JOB.034.008 Anofambidzana navanoita zvakaipa, Anofamba navanhu vakashata.

34:9b.JOB.034.009 Nokuti iye akati, Munhu haatongobatsirwi, Kana achifarira Mwari.

34:10b.JOB.034.010 Saka chindinzwai, imi varume venjere, Mwari haangatongoiti zvisakarurama; waMasimbaose haangatongoiti zvakaipa.

34:11b.JOB.034.011 Nokuti acharipira munhu sezvaakabata, Achapa mumwe nomumwe sezvaakafanirwa.

34:12b.JOB.034.012 Zvirokwazvo, Mwari haangaiti zvakaipa, waMasimbaose haangakanganisi pakutonga.

34:13b.JOB.034.013 Ndianiko akamuita murairi wenyika? Ndianiko akamupa nyika yose?

34:14b.JOB.034.014 Kana akadzosera moyo wake kwaari, Kana akadzosera kwaari mweya wake nokufema kwake;

34:15b.JOB.034.015 papo vanhu vose vachaparara pamwechete, Munhu akadzokerazve kuguruva.

34:16b.JOB.034.016 Zvino kana mukagona kunzwisisa, inzwai shoko iri, Teererai inzwi ramashoko angu.

34:17b.JOB.034.017 Ko munhu, anovenga zvakarurama, angabata ushe here? Mungapa mhosva munhu akarurama, ane simba here?

34:18b.JOB.034.018 Ko zvakanaka kuti kuna mambo, Makashata? Kana kuvakuru, Muri vakaipa here?

34:19b.JOB.034.019 Ndoda kumunhu asingakudzi machinda, Asingatsauri vafumi kupfuura varombo. Nokuti ivo vose ndiro basa ramaoko ake.

34:20b.JOB.034.020 Vanofa kamwe-kamwe pakati pousiku; Vanhu vanozozununguswa ndokuparara havo, Vane simba vanobviswa zvingaitwa noruoko.

34:21b.JOB.034.021 Nokuti meso ake anotarira nzira dzomunhu, Unoona kufamba kwake kwose.

34:22b.JOB.034.022 Hapana rima kana mumvuri worufu, Pangavanda vanoita zvakaipa.

34:23b.JOB.034.023 Nokuti haachafaniri kurangarira munhu, Kuti atongwe pamberi paMwari.

34:24b.JOB.034.024 Anoparadza vanhu vane simba asinganzveri, Ndokugadza vamwe panzvimbo yavo.

34:25b.JOB.034.025 Saka anocherekedza mabasa avo; Unovaparadza usiku, vakapwanyiwa.

34:26b.JOB.034.026 Anovarova sezvinorohwa vanhu vakaipa Vamwe vose vachizviona pachena;

34:27b.JOB.034.027 Nokuti vakatsauka pakumutevera, Vakasava nehanya nenzira dzake dzose;

34:28b.JOB.034.028 Naizvozvo vakasvitsa kuchema kwavarombo kwaari, Akanzwa kuchema kwavakatambudzwa.

34:29b.JOB.034.029 Kana iye akazorodza, ndianiko ungapa mhosva? Kana akavanza chiso chake, ndianiko angazomuona? Kana zvichitarirwa rudzi kana munhu mumwe, zvakafanana hazvo;

34:30b.JOB.034.030 Kuti munhu asakarurama arege kubata ushe, Kuti kurege kuva nomunhu achateya vanhu.

34:31b.JOB.034.031 Nokuti kunomunhu here akati kuna Mwari, Ndarangwa hangu, kunyange ndisina kutadza?

34:32b.JOB.034.032 Ndidzidzisei zvandisingaoni; Kana ndichinge ndaita zvakaipa, handingazviitizve?

34:33b.JOB.034.033 Ko iye achatsiva sezvaunoda iwe, zvaunozviramba here? Nokuti ndiwe unofanira kutsanangura, handizini; Saka chitaura zvaunoziva.

34:34b.JOB.034.034 Vanhu vane njere vachati kwandiri, Uye vose vakachenjera, vanondinzwa, vachati,

34:35b.JOB.034.035 Jobho anotaura zvaasingazivi, Mashoko ake haano uchenjeri.

34:36b.JOB.034.036 Dai Jobho aiidzwa kusvikira pakupedzisira, Zvaakapindura savanhu vakaipa.

34:37b.JOB.034.037 Nokuti anowedzera kumukira Mwari pazvivi zvake, Anorova namaoko ake pakati pedu, Achiwanza mashoko ake anorwa naMwari.

35

35:1b.JOB.035.001 Zvino Erihu akapindurawo, akati,

35:2b.JOB.035.002 Munoti ndiko kururama kwenyu here. Munoti, kururama kwangu kunopfuura kwaMwari?

35:3b.JOB.035.003 Zvamunoti, Muchabatsirweiko nazvo? Ndichawaneiko, zvingapfuura zvandingawana kana ndatadza hangu?

35:4b.JOB.035.004 Ndichakupindurai, Pamwechete neshamwari dzenyu.

35:5b.JOB.035.005 Tarirai kudenga-denga, muone; Tarirai makore okudenga akakwirira kupfuura imi.

35:6b.JOB.035.006 Kana muchinge matadza, ko mungamuitei iye? Kana kudarika kwenyu kuchinge kwakawanda, ko mungamuitei?

35:7b.JOB.035.007 Kana makarurama, mungamupeiko? Kana iye uchapiweiko paruoko rwenyu?

35:8b.JOB.035.008 Kuipa kwenyu kungatadzira munhu akaita semi, Kururama kwenyu kungabatsira mwanakomana womunhu.

35:9b.JOB.035.009 Vanhu vanoridza mhere nokuda kwokumanikidza kwakawanda; Vanoridza mhere kuti varwirwe paruoko rwoane simba.

35:10b.JOB.035.010 Asi hapana anoti, Mwari Muiti wangu aripiko? Iye anotiimbisa usiku;

35:11b.JOB.035.011 Iye anotidzidzisa kupfuura shiri dzokudenga? Anotiita vakachenjera kupfuura shiri dzokudenga?

35:12b.JOB.035.012 Ipapo vanochema, asi hapana anopindura, Nokuda kwokuzvikudza kwavanhu vakaipa.

35:13b.JOB.035.013 Zvirokwazvo Mwari haanganzwi zvisina maturo, waMasimbaose haangavi nehanya nazvo.

35:14b.JOB.035.014 Ndoda kana muchiti, handimuoni; Mhosva iri pamberi pake, chimumirirai henyu!

35:15b.JOB.035.015 Asi zvino, zvaasina kutsiva pakutsamwa kwake, Kana kusava nehanya zvikuru nokuzvikudza;

35:16b.JOB.035.016 Naizvozvo Jobho woshamisa muromo wake achireva zvisina maturo; Wowanza mashoko asingazivi.

36

36:1b.JOB.036.001 Erihu akapfuurawo, akati,

36:2b.JOB.036.002 Nditenderei henyu zvishoma, ndikuratidzei; Nokuti ndichine zvimwe zvandinoda kutaura pamusoro paMwari.

36:3b.JOB.036.003 Ndichatora zivo yangu kure, Ndicharatidza kuti Muiti wangu akarurama.

36:4b.JOB.036.004 Nokuti zvirokwazvo, mashoko angu haane nhema; Mumwe akakwana pazivo unemi.

36:5b.JOB.036.005 Tarirai, Mwari ane simba, asi haashori munhu; Imhare pasimba renjere.

36:6b.JOB.036.006 Haachengeti upenyu hwavakaipa; Asi anoruramisira vanotambudzika.

36:7b.JOB.036.007 Haaregi kutarira vakarurama nameso ake; Asi anovagarisa pachigaro choushe pamwechete namadzimambo, Anovagarisa nokusingaperi, vachikudzwa.

36:8b.JOB.036.008 Asi kana vachinge vasungwa namaketani, Kana kubatwa namabote okutambudzika;

36:9b.JOB.036.009 Ipapo unovazivisa mabasa avo, Nokudarika kwavo, kuti vakafamba vachizvikudza.

36:10b.JOB.036.010 Unodziurawo nzeve dzavo vanzwe kuraira kwake, Unovaraira kuti vadzoke pazvakaipa zvavo.

36:11b.JOB.036.011 Kana vakamunzwa nokumushumira, Vachapedzisa mazuva avo vachifara, Namakore avo vari pane zvinofadza.

36:12b.JOB.036.012 Asi kana vakaramba kuteerera, vachapera nomunondo, Vachafa vasina zivo.

36:13b.JOB.036.013 Asi vasingadi Mwari pamoyo vanozviunganidzira kutsamwa; Havaridzi mhere kuti vabatsirwe kana achivasunga.

36:14b.JOB.036.014 Vanofa vachiri vaduku, Hupenyu hwavo hunopera sohwavasina kururama.

36:15b.JOB.036.015 Anorwira anotambudzika pakutambudzika kwake, Unodziura nzeve dzavo pakumanikidzwa kwavo.

36:16b.JOB.036.016 Zvirokwazvo, akanga achida kukubvisai panjodzi Kukusvitsai panzvimbo yakafara, pasina kumanikana; Kuti zvinoiswa patafura yenyu zvive zvizere namafuta.

36:17b.JOB.036.017 Asi imi muzere nokutonga vakaipa; Kutonga nokururamisira zvinokubatai.

36:18b.JOB.036.018 Nokuti chenjerai kuti kutsamwa kurege kukusvitsai pakudadira; ukuru hwedzikunuro hurege kukutsausai.

36:19b.JOB.036.019 Ko fuma yenyu ingaringana, kuti murege kutambudzika here, Uye simba renyu rose-rose here?

36:20b.JOB.036.020 Musashuva usiku apo ndudzi dzinobviswa panzvimbo yadzo.

36:21b.JOB.036.021 Chenjerai, regai kurangarira zvakaipa; Nokuti ndizvo zvamakasanangura kupfuura kutambudzika.

36:22b.JOB.036.022 Tarirai, Mwari anoita zvinhu zvikuru nesimba rake; Ndianiko mudzidzisi wakafanana naye?

36:23b.JOB.036.023 Ndianiko akamuraira nzira yake? Kana ndianiko angati, Makaita zvisina kururama here?

36:24b.JOB.036.024 Rangarirai, kuti murumbidze basa rake, Rakaimbwa navanhu.

36:25b.JOB.036.025 Vanhu vose vakaritarira; Vanhu vanoriona vari kure.

36:26b.JOB.036.026 Tarirai, Mwari mukuru; asi isu hatimuzivi; Kuwanda kwamakore ake hakunganzverwi.

36:27b.JOB.036.027 Nokuti anokwevera kumusoro madonhedza emvura, Anoshanduka mvura inonaya ichibva pamwando wawo;

36:28b.JOB.036.028 Inodururwa namakore Ichidonhera yawanda pamusoro pavanhu.

36:29b.JOB.036.029 Ko kuno munhu anganzwisisa kudhadhanurwa kwamakore, Nokutinhira kwetende rake here?

36:30b.JOB.036.030 Tarirai, unodhadhanura chiedza chake kunhivi dzake dzose; Unofukidza pasi pegungwa.

36:31b.JOB.036.031 Nokuti naizvozvi anotonga ndudzi dzavanhu; Anovapa zvokudya zvizhinji.

36:32b.JOB.036.032 Anofukidza maoko ake nemheni; Nokuiraira kuti irove payakaratidzwa.

36:33b.JOB.036.033 Mubvumo wayo unomuzivisa, Nemombewo dzinonzwa kuti unouya.

37

37:1b.JOB.037.001 Zvirokwazvo moyo wangu unobvunduswawo pamusoro paizvozvi, Uchibviswa panzvimbo yawo.

37:2b.JOB.037.002 Teererai kutinhira kwenzwi rake, Nokuwunga kunobva pamuromo wake.

37:3b.JOB.037.003 Anokutuma pasi pedenga rose, pamagumisiro enyika.

37:4b.JOB.037.004 Inoteverwa nenzwi rinodzvova, Anotinhira nenzwi roumambo hwake. Haazvidzivisi kana inzwi rake richinzwika.

37:5b.JOB.037.005 Mwari anotinhira nenzwi rake rinoshamisa; Anoita zvinhu zvikuru zvatisingagoni kunzwisisa.

37:6b.JOB.037.006 Nokuti anoti kuchando, Chiwira panyika; Saizvozvowo kumvura inopfunha-pfunha, Uyewo kumvura inoturuka nesimba.

37:7b.JOB.037.007 Anodzivisa ruoko rwomunhu mumwe nomumwe, Kuti vanhu vose vaakaita vamuzive.

37:8b.JOB.037.008 Panguva iyo zvikara zvinondovanda, Zvichirambira mumapako azvo.

37:9b.JOB.037.009 Dutu remhepo rinobuda pakamuri rezasi; Nechando kurutivi rwokumusoro.

37:10b.JOB.037.010 Mazaya echando anopiwa vanhu nomweya waMwa Uye mvura mhami inogwamba.

37:11b.JOB.037.011 Anozadza makore matema nomwando, Anodhadhanura gore rine mheni yake.

37:12b.JOB.037.012 Rinotendeudzwa nokufambisa kwake, Kuti zviite zvose zvaanozviraira Panyika inogarwa navanhu;

37:13b.JOB.037.013 Anoituma kuti zvimwe ive shamhu, zvimwe ifadze nyika yake, zvimwe iratidze tsitsi yake.

37:14b.JOB.037.014 Teererai shoko iri, nhasi Jobho; Chimbomirai murangarire mabasa anoshamisa aMwari.

37:15b.JOB.037.015 Ko munoziva marairirwo azvo naMwari here, Nokupenyiswa kwemheni yegore rake here?

37:16b.JOB.037.016 Munoziva maturikirwo amakore here, Namabasa anoshamisa aiye akakwana pazivo here?

37:17b.JOB.037.017 Munonzwisisa madziyiro enguvo dzenyu, Kana nyika yakagadzikana nemhepo inobva zasi here?

37:18b.JOB.037.018 Ko mungagona kudhadhanura denga pamwechete naye, Iro rakasimba sechioni-oni chakaumbwa here?

37:19b.JOB.037.019 Tidzidzisei zvatingareva kwaari; Nokuti hatigoni kunyatsoreva nemhaka yerima.

37:20b.JOB.037.020 Ko iye anofanira kuudzwa kuti ndinoda kutaura here? Kana ndianiko munhu anoda kumedzwa?

37:21b.JOB.037.021 Zvino vanhu havagoni kutarira chiedza chinopenya kudenga; Asi mhepo ichapfuura, ndokurinatsa.

37:22b.JOB.037.022 Kunaka sokwendarama kunobva kurutivi rwokumusoro; Mwari ano humambo hunotyisa kwazvo.

37:23b.JOB.037.023 Kana ari waMasimbaose, hatigoni kumunzwisisa; ane simba guru-guru; Haangatambudzi pakutonga nokururama kukuru.

37:24b.JOB.037.024 Saka vanhu vanomutya; Haane hanya navane moyo yakachenjera.

38

38:1b.JOB.038.001 Ipapo Jehovha akapindura Jobho, ari pachamupupuri, akati,

38:2b.JOB.038.002 Ndianiko uya anodzima zano rangu achiriita rima Namashoko asine zivo here?

38:3b.JOB.038.003 Chizvisunga chiuno chako zvino somurume; Nokuti ndichakubvunzisisa, iwe undidudzire.

38:4b.JOB.038.004 Iwe wakanga uripiko panguva yandakateya nheyo dzenyika? Chidudzira, kana une zivo iwe.

38:5b.JOB.038.005 Ndianiko akatara kukura kwayo, kana uchizviziva? Kana ndianiko akaiyera norwonzi?

38:6b.JOB.038.006 Ko nheyo dzayo dzakateyiwa pamusoro pei? Kana ndianiko akateya ibwe rayo rekona?

38:7b.JOB.038.007 Panguva yakaimba nyeredzi dzamambakwedza pamawa, Uye vanakomana vose vaMwari vachipururudza nomufaro?

38:8b.JOB.038.008 Kana ndianiko wakadzivira gungwa nemikova, Panguva yokudzutuka kwaro, richibuda pachizvaro;

38:9b.JOB.038.009 Panguva yandakaita gore nenguva yaro, Uye rima guru uve mucheka wokuriputira nawo;

38:10b.JOB.038.010 Panguva.yandakaritarira muganho waro, Ndikariisira mazariro nemikova,

38:11b.JOB.038.011 Ndikati, Ungasvikira pano, asi haungapfuvuri; Mafungu ako, anozvikudza, achadzivirirwa pano?

38:12b.JOB.038.012 Iwe wakatongoraira mangwanani kubva pakutanga kwamazuva ako here, Ukaratidza mambakwedza nzvimbo yawo here?

38:13b.JOB.038.013 Kuti abate migumo yenyika, Vakaipa vazuzwe vabve pairi here?

38:14b.JOB.038.014 Zvinoshanduka sevhu kana richitsikwa nechisimbiso, Zvinhu zvose zvichionekwa sapanguvo.

38:15b.JOB.038.015 Vakaipa vanodzitirirwa chiedza chavo, Ruoko, runozvikudza, runovhuniwa.

38:16b.JOB.038.016 Iwe wakatongopinda pamatsime egungwa here? Kana wakatongofamba pakadzikadzika pasi here?

38:17b.JOB.038.017 Masuo orufu akatongokuzarurirwa here? Kana wakatongoona masuo omumvuri worufu here?

38:18b.JOB.038.018 Wakatongonzwisisa upamhi hwenyika here? Dudzira, kana uchizviziva zvose.

38:19b.JOB.038.019 Nzira iripiko inoenda kunogara chiedza, Kana riri rima, nzvimbo yaro iripiko?

38:20b.JOB.038.020 Kuti undozviisa kumiganho yazvo, Uye kuti uzive nzira dzinoenda kumusha wazvo here?

38:21b.JOB.038.021 Unenge unoziva hako, nokuti wakanga wakazvarwa panguva iyo! Mazuva ako anenge akawanda kwazvo!

38:22b.JOB.038.022 Wakatongopinda panovigwa fuma yamazaya echando here, Kana wakatongoona panovigwa fuma yechimvuramabwe here?

38:23b.JOB.038.023 Izvo zvandakachengetera nguva yenhamo, Nezuva rokurwa nehondo here?

38:24b.JOB.038.024 Chiedza chinoparadzaniswa nomutoo upiko, Uye mhepo inobva mabvazuva inopararira seiko panyika?

38:25b.JOB.038.025 Ndianiko akacherera boporodzi remvura mugero, Kana kuratidzira mheni yomutinhiro nzira yayo;

38:26b.JOB.038.026 Kuti mvura iniswe panyika isina vanhu, Parenje pasina vanhu;

38:27b.JOB.038.027 Kuti ivhu rakasiyiwa nerakaparadzwa rigutswe; Uye bumhudza rimereswe here?

38:28b.JOB.038.028 Ko mvura inonaya inababa here? Kana ndianiko wakazvara madonhedza edova?

38:29b.JOB.038.029 Mazaya echando akabuda muchizvaro chaaniko? Uye chando chokudenga ndianiko akachibereka?

38:30b.JOB.038.030 Mvura inogwamba sebwe, Gungwa rakadzika rinogwamba pamusoro paro.

38:31b.JOB.038.031 Ko iwe ungasunga sumbu reChinyamutanhatu, Kana kusunungura zvisungo zveOrionhi here?

38:32b.JOB.038.032 Iwe ungabudisa Mazaroti panguva yawo here? Kana ungagona kufambisa Arikituro navanakomana vayo here?

38:33b.JOB.038.033 Iwe unoziva mitemo yokudenga here? Iwe ungagona kuraira ushe hwazvo panyika here?

38:34b.JOB.038.034 Ko iwe ungasvitsa inzwi kumakore, Kuti ufukidzwe nemvura yakawanda here?

38:35b.JOB.038.035 Iwe ungagona kutuma mheni, kuti dzifambe, Dzichiti kwauri, Tiri pano, here?

38:36b.JOB.038.036 Ndianiko akaisa uchenjeri mukati mamakore matema? Kana ndianiko akapa nyeredzi njere?

38:37b.JOB.038.037 Ndianiko angagona kuverenga makore nohuchenjeri hwake here? Kana ndianiko angagona kudurura hombodo dzemvura dzokudenga?

38:38b.JOB.038.038 Kana guruva richiungana pamwechete, Namavhinga achinamatirana here?

38:39b.JOB.038.039 Ko iwe ungavhimira shumbakadzi, Kana kugutsa vana veshumba here?

38:40b.JOB.038.040 Kana idzo dzichitsivama panzvimbo dzadzo, Nokurambira pakavanda dzichivandira here?

38:41b.JOB.038.041 Ndianiko anogadzirira gunguvo zvokudya zvaro,

39

39:1b.JOB.039.001 Iwe unoziva nguva inobereka ngururu here? Kana iwe ungaona kana nondo dzichibereka here?

39:2b.JOB.039.002 Iwe ungagona kuverenga mwedzi yokutora kwadzo mazamu here? Kana iwe unoziva nguva yadzinobereka nayo here?

39:3b.JOB.039.003 Dzinokotama, ndokubereka vana vadzo, Dzinorasha ushungu hwadzo.

39:4b.JOB.039.004 Vana vadzo vanosimba, vanokurira kusango; Vanoenda vakasadzokazve.

39:5b.JOB.039.005 Ndianiko akaregedza mbizi isina kusungwa? Kana ndianiko akasunungura zvisungo zvembizi?

39:6b.JOB.039.006 Ndakaita renje imba yayo, Nenyika yebare hugaro hwayo.

39:7b.JOB.039.007 Inozvidza bope romuguta, Hainzwi kuchaira kwomuchairi.

39:8b.JOB.039.008 Nyika yamakomo ndiwo mafuro ayo, Inotsvaka mashizha ose matema.

39:9b.JOB.039.009 Ko nyati ingatenda kukubatira here? Kana ingavata pachidyiro chemombe dzako here

39:10b.JOB.039.010 Ko iwe ungasunga nyati negashu rayo mumuhoronga, Kana ingaputsa mavhinga ichikutevera here?

39:11b.JOB.039.011 Ungaitenda, zvaine simba guru here? Kana kuiregera basa rako here?

39:12b.JOB.039.012 Ungavimba nayo kuti iise zviyo zvako kuguta, Nokuzviunganidzira paburiro rako here?

39:13b.JOB.039.013 Mhou inofara namapapiro ayo; Ko mapapiro ayo neminhenga yayo zvino hunyoro here?

39:14b.JOB.039.014 Nokuti inosiya mazai ayo pasi pavhu, Inoadziyisa muguruva,

39:15b.JOB.039.015 Ichikanganwa kuti angapwanyiwa netsoka dzavanhu, Kana kuti angatsikwa nezvikara.

39:16b.JOB.039.016 Inovangararira vana vayo savanenge vasati vari vayo; Kunyange yakatambudzikira pasina, haine hanya;

39:17b.JOB.039.017 Nokuti Mwari wakaitorera huchenjeri, Haana kuipa njere.

39:18b.JOB.039.018 Panguva yainosimuka kuti itize, Inoshora bhiza nomutasvi waro

39:19b.JOB.039.019 Iwe wakapa bhiza simba raro here? Ndiwe wakashongedza mutsipa waro nezenze rinopepereka here?

39:20b.JOB.039.020 Iwe wakarichirikisa semhashu here? Simba rokupfeza kwaro rinotyisa.

39:21b.JOB.039.021 Rinoteta pasi mumupata, richifarira simba raro; Rinobuda kundoshongana navarume vakashonga nhumbi dzokurwa nadzo.

39:22b.JOB.039.022 Rinoseka kutya, harivhunduswi; Haridzoki kana richiona munondo.

39:23b.JOB.039.023 Goba rinorira pamusoro paro, Uye pfumo nebakatwa zvinopenya.

39:24b.JOB.039.024 Rinopedza pasi nokutsamwa nehasha; Harimiri kana richinzwa. inzwi rehwamanda.

39:25b.JOB.039.025 Nguva ipi neipi kana hwamanda ichirira, rinoti, Hekani! Rinofembedza kurwa kana kuchiri kure, kutinhira kwamachinda, nebope.

39:26b.JOB.039.026 Ko ruvangu runoengerera nohuchenjeri bwako here, Ruchitambanudzira mapapiro arwo kurutivi rwezasi here?

39:27b.JOB.039.027 Ko gondo rinokwira nokuraira kwako, Richindovaka dendere raro pakakwirira here?

39:28b.JOB.039.028 Rinogara padombo, richivatapo, Pashongwe yedombo napanhare.

39:29b.JOB.039.029 Rinonananidza zvokudya zvaro riripo, Meso aro anozviona zviri kure.

39:30b.JOB.039.030 Vana varowo vanosveta ropa; Pane chakaurawa ndipo pariri.

40

40:1b.JOB.040.001 Zvino Jehovha akapfuura kupindura Jobho, akati,

40:2b.JOB.040.002 Ko munhu, anokakavara, angaita nharo nowaMasimbaose here? Anoita nharo naMwari ngaapindure.

40:3b.JOB.040.003 Ipapo Jobho akapindura Jehovha, akati

40:4b.JOB.040.004 Tarirai, ini ndiri muduku hangu; ndingakupindurai here? Ndinofumbira muromo wangu.

40:5b.JOB.040.005 Ndakataura kamwe, asi handingapindurizve; Zvirokwazvo kaviri, asi handingapamhidzizve.

40:6b.JOB.040.006 Ipapo Jehovha akapindura Jobho ari muchamupupuri, akati,

40:7b.JOB.040.007 Chizvisunga chiuno chako zvino somurume; Ndichakubvunzisisa, iwe undipindure.

40:8b.JOB.040.008 Ko iwe unoda kukanganisa kutonga kwangu, Unoda kundipa mhosva, kuti iwe ururamiswe here?

40:9b.JOB.040.009 Iwe unoruoko rwakafanana norwaMwari here? Iwe ungatinhira nenzwi rakafanana nerake here?

40:10b.JOB.040.010 Chizvishongedza zvino noukuru nokukudzwa; Ufukidze nokurumbidzwa noumambo.

40:11b.JOB.040.011 Durura hasha dzako dzinopfachuka; Utarire mumwe nomumwe anozvikudza, umuninipise.

40:12b.JOB.040.012 Tarira mumwe nomumwe anozvikudza, umuderedze. Tsika pasi vakaipa ipapo pavamire.

40:13b.JOB.040.013 Uvavige pamwechete paguruva; Sunga zviso zvavo pakavanda.

40:14b.JOB.040.014 Ipapo ndichakurumbidzawo, Ndichiti ruoko rwako rworudyi rungakuponesa.

40:15b.JOB.040.015 Tarira zvino mvuu, yandakaita pamwechete newe; Inodya uswa senzombe.

40:16b.JOB.040.016 Tarira zvino simba rayo riri muchiuno chayo; Kusimba kwayo kuri pamakakava edumbu rayo.

40:17b.JOB.040.017 Inotsvikidza muswe wayo somusidhari; Marunda ezvitumbi zvayo akarukwa-rukwa.

40:18b.JOB.040.018 Mapfupa ayo akafanana nendarira ine mhango; Mbabvu dzayo dzakafanana namazariro amatare.

40:19b.JOB.040.019 Ndiyo huru pamabasa aMwari; Iye, akaiita, akaipa munondo wayo.

40:20b.JOB.040.020 Zvirokwazvo, makomo anoivigira zvokudya zvayo; Ipapo panotamba mhuka dzose dzesango.

40:21b.JOB.040.021 Inovata pasi pemiti yemirotusi, Pamumvuri wetsanga napamurove.

40:22b.JOB.040.022 Miti yemirotusi inoifukidza nomumvuri wayo; Mikondachando yomurukova inoipoteredza.

40:23b.JOB.040.023 Tarira, kana rwizi rukafema nokunze, haidederi; Haityi, kunyange Jorodhani rukazara kusvikira pamuromo wayo.

40:24b.JOB.040.024 Ko munhu ungaibata kana yakarindira here, Kana kuurura mhino dzayo norwauro here?

41

41:1b.JOB.041.001 Ko ungagona kubata ngwena nechiredzo, Kana kutsikirira rurimi rwayo norwonzi here?

41:2b.JOB.041.002 Ungagona kupinza rwauro pamhino dzayo, Kana kuurura rushaya rwayo nechikokovono?

41:3b.JOB.041.003 Ko ingakunyengetera zvikuru here? Kana ingataura mashoko manyoro kwauri?

41:4b.JOB.041.004 Ingaita sungano newe here, Kuti uiite muranda wako nokusingaperi?

41:5b.JOB.041.005 Ungatamba nayo sezvaungaita neshiri here? Kana ungaisunga kuti vanasikana vako vatambe nayo?

41:6b.JOB.041.006 Mapoka avabati vehove angaitengesa here? Vangaigovera vatengi?

41:7b.JOB.041.007 Ungagona kuzadza ganda rayo nemiseve yenzeve here, Kana musoro wayo namapfumo ehove?

41:8b.JOB.041.008 Isa ruoko rwako pamusoro payo; Rangarira kurwa, haungapamhidzizve.

41:9b.JOB.041.009 Tarira, tariro yake hapana; Munhu haangaori moyo nokuiona bedzi here?

41:10b.JOB.041.010 Hakuna munhu anotyisa angatsunga kuivamba, Zvino ndianiko angagona kumira pamberi pangu here?

41:11b.JOB.041.011 Ndianiko akatanga kundipa, kuti ndifanire kumuripirazve? Zvose zviri pasi pedenga rose ndezvangu.

41:12b.JOB.041.012 Handinganyarari kurondedzera mitezo yayo, Kana simba rayo, kana muturu wayo wakanaka.

41:13b.JOB.041.013 Ndianiko angagona kubvisa nguvo yayo yokunze? Ndianiko angapinda pakati pemisara miviri yameno ayo?

41:14b.JOB.041.014 Ndianiko angagona kuzarura mikova yechiso chayo? Pameno payo panotyisa kwazvo.

41:15b.JOB.041.015 Makwande ayo, ane simba, ndiko kuzvikudza kwayo; Akabatanidzwa nechisimbiso chakabata.

41:16b.JOB.041.016 Ari pedo nepedo, Mhepo haigoni kupinda napakati pawo.

41:17b.JOB.041.017 Akabatanidzwa; Anonamatirana, haangaparadzaniswi.

41:18b.JOB.041.018 Kuhotsira kwayo kunopenya chiedza; Meso ayo akafanana namafungiro amangwanani.

41:19b.JOB.041.019 Mumuromo mayo munobuda mazhenje anopfuta; Masasaradzi omoto anobarika achibvamo.

41:20b.JOB.041.020 Utsi hunobuda pamhino dzayo, Sapahari inovira nenhokwe dzinopfuta.

41:21b.JOB.041.021 Mweya wayo unobatidza masimbe, Uye murazvo womoto unobuda mumuromo mayo.

41:22b.JOB.041.022 Simba rinogara mumutsipa wayo, Kutyisa kunotamba pamberi payo.

41:23b.JOB.041.023 Nyama dzayo dzakabatanidzwa kumativi ose, Dzakasimba pairi, hadzingazununguswi.

41:24b.JOB.041.024 moyo wayo wakasimba sebwe; Zvirokwazvo, wakasimba seguyo.

41:25b.JOB.041.025 Kana ichisimuka, vane simba vanotya; Vanopenga nokuvhunduswa.

41:26b.JOB.041.026 Kana munhu akaitema nomunondo, haune simba; Kunyange nepfumo, kana nomuseve, kana matare anopinza.

41:27b.JOB.041.027 Iyo inoti matare mashanga, Uye ndarira danda rakaora.

41:28b.JOB.041.028 Museve haungaitizisi; Mabwe anoposhwa nechifuramabwe inoti makoto.

41:29b.JOB.041.029 Tsvimbo dzakaita samakoto; Inoseka kana ichinzwa kuunga kwebakatwa.

41:30b.JOB.041.030 Pasi payo pakafanana nezvaenga zvinocheka; Inoita sokukwekweredza chireyi chine mbambo mumatope.

41:31b.JOB.041.031 Inovirisa mvura yakadzika sehari; Inoita gungwa samafuta okuzora.

41:32b.JOB.041.032 Inotara nzira inopenya shure kwayo; Zvimwe munhu ungati, mvura yakadzika yachena vhudzi.

41:33b.JOB.041.033 Panyika hapana chakafanana nayo, Chakaitwa chisina kutya.

41:34b.JOB.041.034 Inoona zvose zvakakwirira; Ndiyo mambo wezvikara zvose zvinozvikudza.

42

42:1b.JOB.042.001 Ipapo Jobho akapindura Jehovha, akati,

42:2b.JOB.042.002 Ndinoziva kuti imi munogona kuita zvose, Uye kuti hakuna chamunovavarira chingadziviswa.

42:3b.JOB.042.003 Ndianiko uyu anodzikatira zano raMwari asine zivo? Naizvozvo ndakataura zvandakanga ndisinganzwisisi, Zvinhu zvakandishamisa kwazvo, zvandakanga ndisingazivi.

42:4b.JOB.042.004 Chidonzwai henyu, nditaure ini, Ndichakubvunzai, imi mundidudzire.

42:5b.JOB.042.005 Ndakanga ndanzwa zvenyu nokunzwa kwenzeve; Asi zvino ziso rangu rinokuonai,

42:6b.JOB.042.006 Saka ndinozvisema, nokuzvidemba Muguruva namadota. Jobho anodzoserwa mufaro wake wose

42:7b.JOB.042.007 Zvino Jehovha akati ataura mashoko iwayo kuna Jobho, Jehovha akati kuna Erifazi muTemani, Ndakatsamwira kwazvo iwe neshamwari dzako mbiri, nokuti imi hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu sezvakaita muranda wangu Jobho.

42:8b.JOB.042.008 Naizvozvo zvino chitorai nzombe nomwe namakondobwe namanomwe, muende kumuranda wangu Jobho, muzvipisire chipiriso chinopiswa; zvino muranda wangu Jobho achakunyengetererai; nokuti ndichamugamuchira iye, kuti ndirege kukuitirai zvakaenzana nohupenzi hwenyu; nokuti imi hamuna kutaura pamusoro pangu zakarurama, sezvakaita muranda wangu Jobho.

42:9b.JOB.042.009 Zvino Erifazi muTemani, naBhiridhadhi muShuhi, naZofari muNaamati, vakandoita sezvakarairwa naJehovha, Jehovha akagamuchira Jobho.

42:10b.JOB.042.010 Jehovha akashandura kutapwa kwaJobho nguva yaakanyengeterera shamwari dzake; Jehovha akapa Jobho zvaakanga anazvo pakutanga kaviri.

42:11b.JOB.042.011 Ipapo vanununa vake vose, nehanzvadzi dzake dzose, navazikani vake vose vaimuziva kare vakauya kwaari, vakadya zvokudya mumba make; vakamudemba nokumunyaradza pamusoro pezvakaipa zvose zvakanga zvauyiswa naJehovha pamusoro pake; munhu mumwe nomumwe akamupawo chimari, nomumwe nomumwe chindori chendarama.

42:12b.JOB.042.012 Saizvozvo Jehovha akaropafadza kupedzisira kwaJobho kupfuura kutanga kwake; akanga ana makwai ane zviuru zvitanhatu, nenzombe dzingasungwa pamajoko dzine chiuru chimwe, namakadzi embongoro ane chiuru chimwe.

42:13b.JOB.042.013 Akazovawo navanakomana vanomwe navanasikana vatatu.

42:14b.JOB.042.014 Akatumidza wokutanga zita rinonzi Jemima, nowechipiri zita rinonzi Kezia, nowechitatu zita rinonzi Kerenihapuki.

42:15b.JOB.042.015 Panyika yose hapana kuwanikwa vakadzi vakanaka pazviso zvavo vakapfuurawo vakunda vaJobho baba vavo vakapawo nhaka pakati pehanzvadzi dzavo.

42:16b.JOB.042.016 Shure kwaizvozvo Jobho akazogara makore ane zana namakumi mana, akaona vanakomana vake, navanakomana vavanakomana vake, kusvikira pamarudzi mana.

42:17b.JOB.042.017 Zvino Jobho akazofa, akwegura, ava namazuva mazhinji.


Holder of rights
Multilingual Bible Corpus

Citation Suggestion for this Object
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Job (Shona). Job (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C58A-E