Esther (Shona)
1
1:1b.EST.001.001 Zvino pamazuva aAhashivheroshi, (ndiye Ahashivheroshi aibata ushe kubva palndia kusvikira Itiopia, pamativi enyika ane zana namakumi maviri namanomwe;)
1:2b.EST.001.002 pamazuva iwayo mambo Ahashivheroshi agere pachigaro chake choushe chakanga chiri paShusha panhare yamambo,
1:3b.EST.001.003 pagore rechitatu rokubata kwake ushe, akaitira machinda ake ose navaranda vake mutambo; hondo dzePerisia neMedhia, navakuru namachinda enyika vakanga vari pamberi pake.
1:4b.EST.001.004 Akavaratidza fuma youshe hwake hwakarumbidzwa, nokukudzwa kwoumambo hwake hwakaisvonaka mazuva mazhinji, ari mazuva ane zana namakumi masere.
1:5b.EST.001.005 Zvino mazuva iwayo akati apera, mambo akaitira mutambo vanhu vose vakanga vari paShusha panhare yamambo, vakuru navaduku, mazuva manomwe paruvanze rwomunda panhare yamambo ;
1:6b.EST.001.006 pakanga pane micheka michena nemipfumbu nemitema yakanga yakasungwa nezvisungo zvemicheka yakaisvonaka nemishava pazvindori zvesirivha nembiru dzamabwe machena; zvigaro zvakanga zviri zvendarama nesirivha zvakagadzikwa paguva rakaitwa namabwe matsvuku, namachena, namashora, namatema.
1:7b.EST.001.007 Vakapiwa zvokunwa mumikombe yendarama, (asi mikombe yakanga isina kufanana), newaini yamambo zhinji, mambo asingavanyimi napaduku.
1:8b.EST.001.008 Vakanwa nomurayiro wokuti munhu arege kurovererwa; nokuti mambo akanga araira varanda vose veimba yake, kuti vaitire mumwe nomumwe sezvaakanga achida nomoyo wake.
1:9b.EST.001.009 Navahosi Vashiti vakaitirawo vakadzi mutambo paimba yamambo yakanga iri yamambo Ahashivheroshi.
1:10b.EST.001.010 Zvino nezuva rechinomwe moyo wamambo wakati uchifara newaini, akaraira Mehumani, naBhizita, naHaribhona, naBhigita, naAbhagata, naZetari, naKarikasi, ivo varanda vanomwe vaibata pamberi pamambo Ahashivheroshi,
1:11b.EST.001.011 kuti vauye navahosi Vashiti pamberi pamambo, vane korona youhosi, kuti vanhu namachinda vawone kunaka kwavo; nokuti vakanga vakanaka pakuonekwa.
1:12b.EST.001.012 Asi vahosi Vashiti vakaramba kuuya sezvavakanga varairwa namambo nomuromo wavaranda; ipapo mambo akatsamwa kwazvo, shungu dzake dzikamuka mukati make.
1:13b.EST.001.013 Ipapo mambo akati kuvarume vakangwara vaiziva nguva, (nokuti saizvozvo mambo wairangana navose vaiziva murau nezvakatongwa;
1:14b.EST.001.014 vakanga vagere pedo naye vaiva Karishena, naShetari, naAdhimata, naTarishishi, naMereesi, naMarisena, naMemukani, iwo machinda manomwe ePerisia neMedhia, vaisionana namambo, vaigara pazvigaro zvokutanga paushe;)
1:15b.EST.001.015 akati, Murayiro unoti kudini, tichaitireiko vahosi Vashiti, zvavakaramba kuita sezvavakarairwa namambo Ahashivheroshi nomuromo wavaranda?
1:16b.EST.001.016 Ipapo Memukani akapindura mambo namachinda, akati, Vahosi havana kutadzira mambo bedzi, asi namachinda osewo, navanhu vose vari munyika dzose dzamambo Ahashivheroshi.
1:17b.EST.001.017 Nokuti ichi chakaitwa navahosi chichapararira pakati pavakadzi vose, zvino vachashora varume vavo, kana zvichinzi, Mambo Ahashivheroshi akaraira vahosi Vashiti kuti vauyiswe pamberi pake, asi vakaramba kuuya.
1:18b.EST.001.018 Nhasi vakadzi vamachinda ePerisia neMedhia, vakanzwa zvakaitwa navahosi, achataurawo zvakadaro kumachinda ose amambo. Naizvozvo kushora nokutsamwa kukuru kuchamuka.
1:19b.EST.001.019 Kana mambo achifara nazvo, mambo ngaateme murayiro une simba ramambo, unyorwe pamirairo yavaPerisia navaMedhia, urege kushandurwa. Kuti Vashiti arege kuzouyazve pamberi pamambo Ahashivheroshi; mambo ngaape mumwe akanaka kupfuura iye uhosi hwake.
1:20b.EST.001.020 Zvino kana chirevo chamambo chavatema, chikaparidzwa paushe hwake hwose, (nokuti ukuru kwazvo), vakadzi vose vachakudza varume vavo, vose vakuru navaduku.
1:21b.EST.001.021 Shoko iro rikafadza mambo namachinda; mambo ndokuita sezvakarehwa naMemukani;
1:22b.EST.001.022 nokuti akatuma mwadhi kumativi ose enyika dzose dzamambo, divi rimwe nerimwe renyika nomunyorero wayo, norudzi rumwe norumwe norurimi rwarwo, kuti murume mumwe nomumwe ave murairi mumba make, ataure norurimi rwake.
2
2:1b.EST.002.001 Zvino shure kwaizvozvo, kutsamwa kwamambo Ahashivheroshi kwakati kwanyarara, akarangarira Vashiti nezvaakaita, nechirevo chakatemwa pamusoro pake.
2:2b.EST.002.002 Ipapo varanda vamambo vaimubatira, vakati, Mambo ngaatsvakirwe mhandara dzakanaka;
2:3b.EST.002.003 mambo ngaaise vatariri pamativi ose oushe hwake, vaunganidze mhandara dzose dzakanaka paShusha nhare yamambo, paimba yavakadzi, vachengetwe naHegai muranda wamambo, mutariri wavakadzi; vapiwewo zvavangazvinatsa nazvo.
2:4b.EST.002.004 Zvino musikana unofarirwa namambo ngaave vahosi panzvimbo yaVashiti. Izvozvo zvikafadza mambo, akaita saizvozvo.
2:5b.EST.002.005 Zvino paShusha panhare yamambo pakanga panomuJudha, ainzi Modhekai, mwanakomana waJairi, mwanakomana waShimei, mwanakomana waKishi, muBhenjamini,
2:6b.EST.002.006 akanga atapwa Jerusaremu, pamwechete navatapwa vakanga vatapwa naJekonia mambo waJudha, wakanga atapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi.
2:7b.EST.002.007 Iye akanga arera Hadhasha, ndiye Esiteri, mukunda wababamunini wake; nokuti akanga asina baba namai; zvino musikana uyu akanga akanaka paumiro hwake napachiso chake; pakufa kwababa vake namai vake Modhekai ndokumutora, akamuita mukunda wake.
2:8b.EST.002.008 Zvino murayiro wamambo nechirevo chake zvakati zvanzwikwa, vasikana vazhinji vakaunganidzwa paShusha nhare yamambo, pavaichengetwa naHegai, Esiteri akatorwawo, akaiswa mumba mamambo, akachengetwa naHegai mutariri wavakadzi.
2:9b.EST.002.009 Musikana uyu akamufadza, akanzwirwa tsitsi naye, akachimbidzika kumupa zvaangazvinatsa nazvo, nemigove yake yezvokudya uye vasikana vanomwe vaakafanira kupiwa, vaibva paimba yamambo; akamuisa iye navasikana vake pakanga pakaisvonaka paimba yavakadzi.
2:10b.EST.002.010 Asi Esiteri akanga asina kuvazivisa rudzi rwake nehama dzake, nokuti Modhekai akanga amuraira, kuti arege kuvazivisa izvozvo.
2:11b.EST.002.011 Zvino Modhekai aifamba pamberi poruvanze rweimba yavakadzi mazuva ose, agoziva kuti Esiteri akadini, uye kuti vachaitei naye.
2:12b.EST.002.012 Zvino dzoro romusikana mumwe nomumwe rakati richisvika kupinda kuna mambo Ahashivheroshi, kana aitirwa zvose nomurayiro wavakadzi mwedzi ine gumi nemiviri, (nokuti mazuva okunatswa kwavo akapera kudai: mwedzi mitanhatu vachizora mafuta emura, mwedzi mitanhatu zvinonhuwira, uye zvimwe zvinhu zvokunatsa vakadzi nazvo,)
2:13b.EST.002.013 zvino musikana akapinda nomutoo akadaro kuna mambo, uye chinhu chipi nechipi chaaida aichipiwa, kuti abude nacho paimba yavakadzi, apinde mumba mamambo.
2:14b.EST.002.014 Aienda madekwana, ndokudzokera mangwana kuimba yechipiri yavakadzi, paaichengetwa naShaashigazi, muranda wamambo, aichengeta varongo; haazaipindazve kuna mambo, asi kana achinge afarirwa namambo, akadanwa nezita rake.
2:15b.EST.002.015 Zvino dzoro raEsiteri mukunda waAbhihairi, babamunini vaModhekai, akanga amutora akamuita mukunda wake, rakati richisvika rokupinda kuna mambo, haana kukumbira chinhu asi izvo bedzi zvakanga zvarairwa naHegai muranda wamambo, mutariri wavakadzi. Zvino Esiteri akanzwirwa tsitsi navose vaimuona.
2:16b.EST.002.016 Naizvozvo Esiteri akaiswa kuna mambo Ahashivheroshi muimba yake youshe nomwedzi wegumi, ndiwo mwedzi weTebheti, pagore rechinomwe rokubata kwake ushe.
2:17b.EST.002.017 Mambo akada Esiteri kupfuura vamwe vakadzi vose, akanzwira tsitsi nounyoro naye kupfuura dzimwe mhandara dzose; naizvozvo akaisa korona youhosi pamusoro wake, akamuita vahosi panzvimbo yaVashiti.
2:18b.EST.002.018 Ipapo mambo akaitira machinda ake ose navaranda vake vose mutambo mukuru, uri mutambo waEsiteri; akaraira zororo pamativi enyika, akagovera zvipo, mambo asinganyimi napaduku.
2:19b.EST.002.019 Zvino pakuunganidzwa kwemhandara rwechipiri, Modhekai akanga agere pasuo ramambo.
2:20b.EST.002.020 Esiteri akanga achigere kuvazivisa hama dzake kana rudzi rwake, sezvaakarairwa naModhekai; nokuti Esiteri akateerera murayiro waModhekai, sezvaaisiita acharerwa naye.
2:21b.EST.002.021 zvino pamazuva iwayo Modhikai agere pasuo ramambo, varanda vaviri vamambo, Bhigitani naTereshi, pakati pavarindi vomukova, vakatsamwa vakatsvaka kuuraya mambo Ahashivheroshi.
2:22b.EST.002.022 Chinhu icho chikazikanwa naModhekai, iye ndokuzivisa vahosi Esiteri, Esiteri akandoudza mambo nezita raModhekai.
2:23b.EST.002.023 Zvino vakati vachinzvera chinhu icho, vakawana kuti zvirokwazvo, vose vari vaviri vakasungirirwa pamuti; zvikanyorwa mubhuku yaMakoronike pamberi pamambo.
3
3:1b.EST.003.001 Shure kwaizvozvo mambo Ahashivheroshi akakudza Hamani, mwanakomana waHamedhata muAgagi, akamuita mukuru nokumupfuudza ave mukuru kumachinda ake ose.
3:2b.EST.003.002 Zvino varanda vose vamambo vakanga vari pasuo ramambo vakakotama nokupfugamira Hamani; nokuti mambo akanga araira saizvozvo pamusoro pake. Asi Modhekai haana kukotama kana kumupfugamira.
3:3b.EST.003.003 Ipapo varanda vamambo vakanga vari pasuo ramambo vakati kuna Modhekai, Iwe unodarikireiko murayiro wamambo?
3:4b.EST.003.004 Zvino vakati vataura naye mazuva ose, iye achiramba kuvateerera, vakaudza Hamani kuti vawone kana mashoko aModhekai angava nesimba; nokuti akavaudza kuti iye muJudha.
3:5b.EST.003.005 Zvino Hamani akati achiona kuti Modhekai haakotami kana kumupfugamira, Hamani akava neshungu kwazvo.
3:6b.EST.003.006 Asi akashora kuuraya Modhekai oga, nokuti vakanga vamuzivisa rudzi rwaModhekai; naizvozvo Hamani akatsvaka kuparadza vaJudha vose vakanga vari paushe hwose hwaAhashivheroshi, irwo rudzi rwaModhekai.
3:7b.EST.003.007 Zvino pamwedzi wokutanga, uri mwedzi weNisani, pagore regumi namaviri ramambo Ahashivheroshi, vakakanda Puri, ndiyo mijenya, pamberi paHamani zuva rimwe nerimwe, pamwedzi mumwe nomumwe, kusvikira pamwedzi wegumi nemiviri, ndiwo mwedzi weAdhari.
3:8b.EST.003.008 Hamani akati kuna mambo Ahashivheroshi, Rumwe rudzi rwavanhu ruriko, rwakapararira nokutekeshera pakati pavanhu pamativi ose enyika dzoushe hwenyu; mirau yavo yakasiyana neyavamwe vanhu, havachengeti mirau yamambo; saka mambo haafaniri kuvarega varipo.
3:9b.EST.003.009 Kana mambo achifara nazvo mwadhi ngainyorwe kuti vaparadzwe; ini ndichabudisa matarenta ane zviuru zvine gumi esirivha pamaoko avatariri vebasa ramambo, vaaise pazvivigiro zvefuma yamambo.
3:10b.EST.003.010 Ipapo mambo akabvisa chindori chake paruoko rwake, akachipa Hamani, mwanakomana waHamedhata muAgagi, muvengi wavaJudha.
3:11b.EST.003.011 Mambo akati kuna Hamani, Iwe navanhu vako mungatora sirivha iyo, muite nayo sezvaunoda iwe.
3:12b.EST.003.012 Ipapo vanyori vamambo vakadanwa nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namatatu, zvose zvikanyorwa Hamani sezvaakaraira machinda amambo, navabati vaibata rutivi rumwe norumwe rwenyika rwakanyorerwa nomunyorero warwo, uye rudzi rumwe norumwe norurimi rwarwo; zvikanyorwa nezita ramambo Ahashivheroshi ndokusimbiswa nechindori chamambo.
3:13b.EST.003.013 mwadhi dzikatumwa nenhume dzinomhanya kumativi ose enyika dzamambo, kuti vaJudha vose, vaduku navakuru, navana vaduku, navakadzi vaparadzwe nokuurawa nokupedzwa pazuva rimwe, pazuva regumi namatatu romwedzi wegumi nemiviri, uri mwedzi weAdhari, uye nenhumbi dzavo dzose dzipambwe;
3:14b.EST.003.014 mashoko orunyoro urwu akatumwa kuvanhu vose, kuti chirevo chiparidzwe pamativi ose enyika, kuti vazvigadzirire zuva iro.
3:15b.EST.003.015 Nhume dzinomhanya dzikachimbidzikiswa nomurayiro wamambo, chirevo chikaziviswa paShusha panhare yamambo; ipapo mambo naHamani vakagara pasi vakanwa; asi guta reShusha rakadziyaniswa.
4
4:1b.EST.004.001 Zvino Modhekai akati achinzwa zvose zvaitwa, Modhekai ndokubvarura nguvo dzake, akafuka masaga nokuisa madota pamusoro wake, akapinda pakati peguta, akachema nokuchema kukuru kunorwadza moyo;
4:2b.EST.004.002 akasvikawo pamberi pesuo ramambo; nokuti akafuka masaga haana kutenderwa kupinda pasuo ramambo.
4:3b.EST.004.003 Naparutivi rumwe norumwe rwenyika pose pakasvika murayiro wamambo nechirevo chake, pakanga panokuchema kukuru pakati pavaJudha, nokuzvinyima zvokudya, nokuchema misodzi, nokuungudza; vazhinji vakavata pasi vakafuka masaga nokuzviisa madota pamisoro.
4:4b.EST.004.004 Zvino vasikana vaEsiteri navaranda vake vakandomuudza izvozvo; vahosi vakabatwa neshungu kwazvo, vakatumira Modhekai nguvo, kuti adzifuke, abvise masaga; asi wakaramba kudzigamuchira.
4:5b.EST.004.005 Ipapo Esiteri akadana Hataki, mumwe wavaranda vamambo, waakanga araira kumubatira, akamuraira kuti aende kuna Modhekai kundonzwa kuti chinyi, uye mhaka yeiko.
4:6b.EST.004.006 Ipapo Hataki akaenda kuna Modhekai padare reguta, rakanga riri pamberi pesuo ramambo.
4:7b.EST.004.007 Modhekai akamuudza zvose zvaakaitirwa, nokuwanda kwemari yakanzi naHamani kuti achaiisa muzvivigiro zvamambo kuti vaJudha vaparadzwe.
4:8b.EST.004.008 Akamupawo mashoko orunyoro rwechirevo chakanga chatemwa paShusha chokuti vaparadzwe, kuti achiratidze Esiteri nokumuzivisa izvozvo; akamurairawo kuti apinde kuna mambo amunyengetere nokukumbirira vanhu vake kwaari.
4:9b.EST.004.009 Hataki akandoudza Esiteri mashoko aModhekai.
4:10b.EST.004.010 Ipapo Esiteri akataura naHataki, akamupa shoko rokundoudza Modhekai, akati,
4:11b.EST.004.011 Varanda vose vamambo navanhu vamativi enyika dzamambo vanoziva kuti ani naani, kunyange murume kana mukadzi, akapinda kuna mambo muruvanze rwomukati asina kudanwa, kunongova nomurau mumwe woga kwaari, kuti aurawe; asi kana mambo akamutambanudzira tsvimbo yendarama, achararama hake; asi ini handina kudanwa kuti ndipinde kuna mambo mazuva ano ana makumi matatu.
4:12b.EST.004.012 Vakaudza Modhekai mashoko aEsiteri.
4:13b.EST.004.013 Ipapo Modhekai akavaraira kuti vapindure Esiteri, vati, Usati iwe uchapukunyuka mumba mamambo kupfuura vamwe vaJudha vose.
4:14b.EST.004.014 Nokuti kana iwe ukanyarara chose nenguva ino, vaJudha vachabatsirwa nokurwirwa nomumwe mutoo, asi iwe neimba yababa vako muchaparadzwa; handiti, zvimwe wakasvika paushe nokuda kwenguva inenge seino here?
4:15b.EST.004.015 Ipapo Esiteri akaraira kuti vapindure Modhekai, vati,
4:16b.EST.004.016 Endai mukokere vaJudha vose vari paShusha, muzvinyime zvokudya nokuda kwangu; regai kudya kana kunwa mazuva matatu, usiku namasikati; neniwo navasikana vangu tichazvinyima zvokudya saizvozvo; ipapo ndichapinda kuna mambo, kunyange zvisina kutenderwa nomurau; kana ndikaparara, ndaparara hangu.
4:17b.EST.004.017 Naizvozvo Modhekai akaenda hake akandoita zvose zvaakarairwa naEsiteri.
5
5:1b.EST.005.001 Zvino pazuva rechitatu Esiteri akafuka nguvo dzake dzouhosi, akandomira paruvanze rwomukati rweimba yamambo, pakatarisana neimba yamambo; mambo akanga agere pachigaro chake choushe paimba yake youshe, pakatarisana nomukova weimba.
5:2b.EST.005.002 Zvino mambo akati achiona vahosi Esiteri amire paruvanze, iye akanzwirwa tsitsi naye, mambo akatambanudzira Esiteri tsvimbo yendarama yakanga iri muruoko rwake. Ipapo Esiteri akaswedera, akabata muromo wetsvimbo.
5:3b.EST.005.003 Zvino mambo akati kwaari, Unoreveiko vahosi Esiteri? Unokumbireiko? Uchazvipiwa, kunyange uchikumbira hafu youshe hwangu.
5:4b.EST.005.004 Esiteri akati, Kana mambo achifara nazvo, mambo naHamani ngavauye nhasi kumafundo andakamugadzirira.
5:5b.EST.005.005 Ipapo mambo akati, Hamani ngaachimbidzike, kuti zvarehwa naEsiteri zviitwe. Naizvozvo mambo naHamani vakaenda kumafundo akanga agadzirwa naEsiteri.
5:6b.EST.005.006 Zvino mambo akati kuna Esiteri pamafundo ewaini, Chinyiko chaunonyengetera? Uchazvipiwa. Unokumbireiko? Zvichaitwa, kunyange uchikumbira hafu youshe hwangu.
5:7b.EST.005.007 Ipapo Esiteri akapindura akati, Kunyengetera kwangu nokukumbira kwangu ndikoku:
5:8b.EST.005.008 Kana ndanzwirwa tsitsi namambo, kana mambo achida kundipa chandinonyengetera, nokuita chandinokumbira, mambo naHamani ngavauye kumafundo andichavagadzirira, mangwana ndichaita sezvarehwa namambo. Hamani anoronga kuuraya Modhekai
5:9b.EST.005.009 Ipapo Hamani akaenda nezuva iro achifara, ano moyo muchena; asi Hamani akati achiona Modhekai pasuo ramambo, kuti akaramba kumusimukira, kana kumutya, akasvotwa kwazvo pamusoro paModhekai.
5:10b.EST.005.010 Asi Hamani akazvidzora hake akaenda kumusha; akatuma munhu kuzodana shamwari dzake nomukadzi wake Zereshi.
5:11b.EST.005.011 Hamani akavarondedzera kubwinya kwefuma yake, nokuwanda kwavana vake, namakudzirwo aakaitwa namambo, namapfuudzirwo ake ave mukuru kumachinda navaranda vose vamambo.
5:12b.EST.005.012 Hamani akapfuura akati,Navahosi Esiteri havana kutendera mumwe munhu kupinda namambo kumapfundo avakagadzira, asi ini ndoga; uye mangwanawo ndadanwa navo pamwechete namambo.
5:13b.EST.005.013 Asi izvo zvose hazvindibetseri chinhu, kana ndichigara ndichiona Modhekai muJudha agere pasuo ramambo.
5:14b.EST.005.014 Ipapo mukadzi wake Zereshi neshamwari dzake dzose vakati kwaari, Rairai kuti vagadzire matanda anamakubhiti makumi mashanu pakureba kwawo, mangwana mugokumbira kuna mambo kuti Modhekai asungirirwe paari; ipapo mungapinda henyu nomufaro namambo kumafundo. Zvino shoko iro rakafadza Hamani, akaraira kuti matanda agadzirwe.
6
6:1b.EST.006.001 Zvino usiku uhwo mambo akashaiwa hope, akaraira kuti vauye nebhuku yamashoko aMakoronike, akaravirwa mambo.
6:2b.EST.006.002 Vakawana kuti pakanyorwa kuti Modhekai akadeya kuzivisa mashoko aBhigitana naTereshi, varanda vaviri vamambo pakati pavarindi vomukova, vakatsvaka kuuraya mambo Ahashivheroshi.
6:3b.EST.006.003 Ipapo mambo akati, Modhekai akakudzwa nokurumbidzwa seiko pamusoro pechinhu ichi? Varanda vamambo vaimubatira vakati, Haana chaakaitirwa.
6:4b.EST.006.004 Mambo akati, Ndianiko uri paruvanze? Zvino Hamani akanga apinda paruvanze rwokunze kweimba yamambo, achida kukumbira kuna mambo kuti Modhekai asungirirwe namatanda aakanga amugadzirira.
6:5b.EST.006.005 Varanda vamambo vakati kwaari, Tarirai Hamani umire paruvanze. Mambo akati, Ngaapinde.
6:6b.EST.006.006 Naizvozvo Hamani akapinda. Mambo akati kwaari, Munhu, mambo waanoda kumukudza, angaitirweiko? Zvino Hamani akati mumoyo make, Mambo vangada kukudza aniko, asi ini?
6:7b.EST.006.007 Hamani akati kuna mambo, Iye munhu, mambo waanoda kukudza,
6:8b.EST.006.008 ngaatorerwe nguvo dzoushe, idzo dzinosifukwa namambo, nebhiza rinositasva namambo, nekorona youshe inosidzikwa pamusoro wake;
6:9b.EST.006.009 zvino nguvo nebhiza ngazviiswe pamaoko omumwe wamachinda amambo anokudzwa kwazvo, kuti vafukidze munhu uyo, mambo waanoda kukudza, vagomufambisa munzira dzomuguta, akatasva bhiza, vadanidzire pamberi pake, vachiti, Munhu, mambo waanoda kukudza, ngaaitirwe saizvozvo.
6:10b.EST.006.010 Ipapo mambo akati kuna Hamani, Chimbidzika utore nguvo nebhiza, sezvawataura, undoitira Modhekai muJudha saizvozvo, iye agere pasuo ramambo; usarega shoko rimwe pamashoko ose awataura.
6:11b.EST.006.011 Zvino Hamani akatora nguvo nebhiza, akafukidza Modhekai, akamufambisa panzira dzomuguta akatasva bhiza, akadanidzira pamberi pake, achiti, Ndizvo zvichaitirwa munhu uyo mambo waanoda kukudza.
6:12b.EST.006.012 Zvino Modhekai akadzokera kusuo ramambo. Asi Hamani akachimbidzika kuenda kumba kwake achichema, akafukidza musoro wake.
6:13b.EST.006.013 Hamani akarondedzera kuna Zereshi mukadzi wake neshamwari dzake dzose zvose zvaakaitirwa. Ipapo shamwari dzake dzakangwara naZereshi mukadzi wake vakati kwaari, Kana Modhekai uyu wawakatanga kuwa pamberi pake ari worudzi rwavaJudha, haungakundi, asi zvirokwazvo uchawa pamberi pake.
6:14b.EST.006.014 Vakati vachataura naye, varanda vamambo vakasvika, vakachimbidzika kuenda naHamani kumafundo akanga agadzirwa naEsiteri.
7
7:1b.EST.007.001 Zvino mambo naHamani vakasvika pamafundo avahosi Esiteri.
7:2b.EST.007.002 Mambo akatizve kuna Esiteri pazuva rechipiri, pamafundo ewaini, Chinyiko chaunonyengetera, vahosi Esiteri? Uchapiwa. Unokumbireiko? Zvichaitwa, kunyange uchikumbira hafu youshe hwangu.
7:3b.EST.007.003 Ipapo vahosi Esiteri vakapindura vakati, Kana ndichinge ndanzwirwa tsitsi nemi mambo, kana mambo achifara nazvo, ndinokumbira kuti ndipiwe upenyu hwangu nokuda kwokunyengetera kwangu, nohwevanhu vangu nokuda kwokukumbira kwangu;
7:4b.EST.007.004 nokuti tatengeswa, ini navanhu vangu, kuti tiparadzwe, tiurawe, tipedzwe. Dai takanga tatengeswa tive varanda navashandiri, ndingadai ndanyarara hangu, ,nokuti kutambudzika kwedu hakungaenzaniswi nokutadzirwa kwamambo.
7:5b.EST.007.005 Ipapo mambo Ahashivheroshi akapindura, akati kuna vahosi Esiteri, Ndianiko, aripi iye akafunga mumoyo make kuita izvozvo?
7:6b.EST.007.006 Esiteri akati, Mudzivisi nomuvengi, ndiye Hamani uyu akaipa! Ipapo Hamani akatya pamberi pamambo navahosi.
7:7b.EST.007.007 Mambo akasimuka pamafundo ewaini akatsamwa, akaenda kumunda weimba yamambo; Hamani akasimukawo kuzokumbira upenyu hwake kuna vahosi Esiteri, nokuti akaona kuti mambo akafunga kumuitira zvakaipa.
7:8b.EST.007.008 Ipapo mambo akadzoka achibva pamunda weimba yamambo akapinda panzvimbo yamafundo ewaini; zvino Hamani akanga azviwisira pachigaro pakanga pagere Esiteri. Mambo akati, Zvino wotoda kuchinya vahosi muno mumba pamberi pangu kanhi? Zvino shoko iro rakati rabuda mumuromo wamambo, vakafukidza chiso chaHamani.
7:9b.EST.007.009 Ipapo Haribhona, mumwe muranda akanga ari pamberi pamambo, akati, Tarirai, paimba yaHamani pamire matanda akareba anamakubhiti makumi mashanu, akamiswa naHamani, kuti asungirirepo Modhekai, akataura zvakanaka nokuda kwamambo. Mambo akati, Musungirireipo paari.
7:10b.EST.007.010 Naizvozvo vakasungirira Hamani pamatanda aakagadzirira Modhekai. Ipapo kutsamwa kwamambo kwakanyarara.
8
8:1b.EST.008.001 Zvino pazuva iro mambo Ahashivheroshi akapa vahosi Esiteri imba yaHamani, iye muvengi wavaJudha. Modhekai akasvika pamberi pamambo, nokuti Esiteri akanga audza mambo kuti chinyi chake.
8:2b.EST.008.002 Mambo akabvisa chindori chake chaakanga atora panaHamani, akachipa Modhekai. Esiteri ndokuita Modhekai mutariri weimba yaHamani.
8:3b.EST.008.003 Esiteri akataurazve pamberi pamambo, akazviwisira pasi pamakumbo ake, akachema kwaari nemisodzi kuti aparadze zano rakaipa raHamani muAgagi, nezano rake raakanga afunga pamusoro pavaJudha.
8:4b.EST.008.004 Mambo akatambanudzira Esiteri tsvimbo yendarama. Ipapo Esiteri akasimuka akamira pamberi pamambo
8:5b.EST.008.005 Zvino akati kana mambo achifara nazvo, kana ndanzwirwa tsitsi naye, kana mambo achiti zvakanaka, ini ndakamufadza hangu, mwadhi ngadzinyorwe dzichashandura mwadhi dzaiva nezano raHamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, dzaakanyora kuparadza vaJudha vari pamativi ose enyika yamambo;
8:6b.EST.008.006 nokuti ini ndingagona seiko kuona zvakaipa zvichaitirwa vanhu vangu? Ndingagona seiko kuona kuparadzwa kwavanhu vangu!
8:7b.EST.008.007 Ipapo mambo Ahashivheroshi akati kuna vahosi Esiteri naModhekai muJudha, Tarirai ndapa Esiteri imba yaHamani, asi iye vakamusungirira pamatanda, nokuti akada kuuraya vaJudha.
8:8b.EST.008.008 Zvino imiwo chinyorerai vaJudha, sezvamunoda, nezita ramambo, muzvisimbise nechindori chamambo; nokuti rugwaro rwakanyorwa nezita ramambo, rukasimbiswa nechindori chamambo, harungashandurwi nomunhu.
8:9b.EST.008.009 Zvino vanyori vamambo vakadanwa panguva iyo, pamwedzi wechitatu, uri mwedzi weShivani, pazuva ramakumi maviri namatatu; vakanyora zvose Modhekai zvaakaraira vaJudha, namachinda makuru, navabati, namachinda amativi enyika, kubva paIndia kusvikira paItiopia, mativi enyika ane zana namakumi maviri namanomwe, rutivi rumwe norumwe rwenyika nomunyorero warwo, uye rudzi rumwe norume norurimi rwarwo, navaJudha nomunyorero wavo uye norurimi rwavo.
8:10b.EST.008.010 Akanyora nezita ramambo Ahashivheroshi, akadzisimbisa nechindori chamambo, ndokutuma nhume dzinomhanya dzakatasva mabhiza, dzakatasva mabhiza aimhanyisa kwazvo pabasa ramambo, akaberekwa pazvipfuwo zvamambo.
8:11b.EST.008.011 Mambo akatendera pamwadhi idzo vaJudha paguta rimwe nerimwe kuungana, nokurwira upenyu hwavo, vaparadze, vauraye, vapedze simba rose ravanhu neramativi enyika kana vaida kuvavamba ivo navana vavo navakadzi vavo, uye vatore nhumbi dzavo vadzipambare,
8:12b.EST.008.012 zvose zviitwe pazuva rimwe pamativi ose enyika yose yamambo Ahashivheroshi, iro zuva regumi namatatu romwedzi wegumi nemiviri, uri mwedzi weAdhari.
8:13b.EST.008.013 Mashoko orugwaro urwu akatumwa kuvanhu vose, kuti chirevo chiparidzwe pamativi ose enyika kuti vaJudha vazvigadzirire zuva iro vatsive vavengi vavo.
8:14b.EST.008.014 Naizvozvo nhume, dzakatasva mabhiza anomhanyisa kwazvo pabasa ramambo, dzakaenda dzichichimbidzikiswa nokukurudzirwa nomurayiro wamambo; chirevo icho chikatemwa paShusha nhare yamambo.
8:15b.EST.008.015 Modhekai akabuda pamberi pamambo, akafuka nguvo dzoushe, nhema nechena, akadzika korona huru yendarama, ane nguvo yomucheka wakaisvonaka-naka mushava; guta reShusha rikapururudza, rakafara.
8:16b.EST.008.016 VaJudha vakava nechiedza, nomufaro, nokufara kukuru, nokukudzwa.
8:17b.EST.008.017 Zvino parutivi rumwe norumwe rwenyika, napaguta rimwe nerimwe, pose pakasvika murayiro wamambo nechirevo chake, vaJudha vakafara nomufaro mukuru, vakaita mutambo nezuva romufaro. Vanhu vazhinji pakati pendudzi dzavanhu dzenyika vakazova vaJudha; nokuti vakanga vachitya vaJudha kwazvo.
9
9:1b.EST.009.001 Zvino nomwedzi wegumi nemiviri,iwo mwedzi weAdhari, nezuva regumi namatatu, nguva yakati yaswedera yokuti murayiro wamambo nechirevo chake zviitwe, pazuva rakafunga vavengi vavaJudha kuvamukira naro; asi zvakashandurwa, nokuti vaJudha vakamukira vavengi vavo;
9:2b.EST.009.002 vaJudha vakaungana pamaguta avo pamativi ose enyika dzamambo Ahashivheroshi, kuti vauraye avo vakatsvaka kuvaitira zvakaipa; hakuna akanga achigona kuvadzivisa, nokuti vanhu vose vakavatya.
9:3b.EST.009.003 Machinda ose amativi enyika, namachinda makuru, navabati, vaibata basa ramambo, vakabatsira vaJudha; nokuti vakatya Modhekai.
9:4b.EST.009.004 Nokuti Modhekai akanga ari mukuru paimba yamambo, nembiri yake yakanga yasvika kumativi ose enyika; nokuti murume uyu Modhekai akaramba achikura.
9:5b.EST.009.005 VaJudha vakaparadza vavengi vavo vose, nokuvatema neminondo, nokuvauraya, nokuvaparadza, vakaitira vavengi vavo sezvavaida.
9:6b.EST.009.006 NapaShusha nhare yamambo, vaJudha vakauraya nokuparadza varume vana mazana mashanu.
9:7b.EST.009.007 Parishandata, naDharifoni, naAsipata,
9:8b.EST.009.008 naPorata, naAdharia, naAridhata,
9:9b.EST.009.009 naParimashita, naArisai, naAridhai, naVaizata,
9:10b.EST.009.010 ivo vanakomana vane gumi vaHamani mwanakomana waHamedhata, muvengi wavaJudha, vakavaurayawo; asi havana kupambara nhumbi dzavo.
9:11b.EST.009.011 Pazuva iro kuwanda kwavakaurawa paShusha nhare yamambo kwakaverengwa kukaiswa kuna mambo.
9:12b.EST.009.012 Ipapo mambo akati kuna vahosi Esiteri, VaJudha vauraya nokuparadza paShusha nhare yamambo, varume vana mazana mashanu, navanakomana vane gumi vaHamani; ndoda zvavakaita kuna mamwe mativi enyika yamambo! Zvino chinyiko chaunonyengetera? Uchazvipiwa. Kana chinyiko chaunokumbira zvino? Zvichaitwa.
9:13b.EST.009.013 Ipapo Esiteri akati, Kana mambo achifara nazvo, vaJudha vari paShusha ngavatenderwe kuita mangwanawo nechirevo chanhasi, navanakomana vaHamani vane gumi vasungirirwe pamatanda.
9:14b.EST.009.014 Ipapo mambo akaraira kuti zviitwe saizvozvo; chirevo chikatemwa paShusha, vakasungurira vanakomana vaHamani vane gumi.
9:15b.EST.009.015 VaJudha vaiva paShusha vakaunganazve nezuva regumi namana romwedzi weAdhari, vakauraya varume vana mazana matatu paShusha, asi havana kupambara nhumbi.
9:16b.EST.009.016 Navamwe vaJudha vaiva pamativi enyika yamambo vakaungana, vakarwira upenyu hwavo, vakazorora pavavengi vavo, vakauraya pakati pavavengi vavo vane zviuru zvina makumi manomwe nezvishanu; asi havana kupambara nhumbi.
9:17b.EST.009.017 Izvozvo zvakaitwa nezuva regumi namatatu romwedzi weAdhari, vakazorora nezuva regumi namana, vakariita zuva romutambo neromufaro.
9:18b.EST.009.018 Asi vaJudha vaiva paShusha vakaungana pazuva regumi namatatu napazuva regumi namana romwedzi iwoyo; nezuva regumi namashanu romwedzi uyo vakazorora, vakariita zuva romutambo neromufaro.
9:19b.EST.009.019 Naizvozvo vaJudha vemisha, vanogara pamisha isina kukombwa namasvingo, vanoita zuva regumi namana romwedzi weAdhari zuva romufaro neromutambo, uye zuva rakanaka, nerokutumirana zvinonaka. Mutambo wePurimi
9:20b.EST.009.020 Zvino Modhekai akanyora zvinhu izvo, akatuma mwadhi kuvaJudha vose vakanga vari pamativi ose enyika yamambo Ahashivheroshi, pedo nokure,
9:21b.EST.009.021 akavaraira kuti varangarire zuva iro regumi namana romwedzi weAdhari, nezuva regumi namashanu rawo, gore rimwe nerimwe,
9:22b.EST.009.022 nokuti ndiwo mazuva vaJudha avakazorodzwa nawo pavavengi vavo, nomwedzi wavakashandurirwa nawo kuchema kwavo ukava mufaro, uye zuva rokuchema rikava zuva rakanaka; uye kuti vaaite mazuva omutambo noomufaro, nookutumirana zvinonaka uye zvipo kuvarombo.
9:23b.EST.009.023 VaJudha vakatenda kuita nomutowo wavakatanga nawo, sezvavakanyorerwa naModhekai;
9:24b.EST.009.024 nokuti Hamani mwanakomana waHamedhata muAgagi, muvengi wavaJudha vose akanga afunga zano rokuparadza vaJudha, akakanda Puri, ndiyo mijenya, kuvapedza nokuvaparadza;
9:25b.EST.009.025 asi shoko iri rakati richisvika kuna mambo, iye ndokuraira nemwadhi kuti zano iri rake rakaipa raakafunga pamusoro pavaJudha, ridzoserwe pamusoro wake, uye kuti iye navanakomana vake vasungirirwe pamatanda.
9:26b.EST.009.026 Naizvozvo vakatumidza zita ramazuva iwayo Purimi nezita rePuri. Zvino nokuda kwamashoko ose emwadhi iyo, nezvavakaona pamusoro pechinhu icho, nezvavakaitirwa,
9:27b.EST.009.027 vaJudha vakatema chirevo vakazvisunga, kuti ivo navana vavo, navose vaizozviisa kwavari, havangatongoregi kurangarira mazuva iwayo maviri, sezvakanga zvanyorwa pamusoro pawo, uye panguva yakanga yatarwa gore rimwe nerimwe;
9:28b.EST.009.028 uye kuti mazuva iwayo arangarirwe nokutambwa pakati porudzi rumwe norumwe, nemhuri imwe neimwe, norutivi rumwe norumwe rwenyika neguta rimwe nerimwe; uye kuti mazuva iwayo ePurimi arege kutongoregwa pakati pavaJudha, arangarirwe nokusingaperi pakati pavana vavo.
9:29b.EST.009.029 papo vahosi Esiteri, mukunda waAbhihairi, naModhekai muJudha, vakanyora nesimba ravo rose vakasimbisa mwadhi iyo yechipiri yePurimi.
9:30b.EST.009.030 Akatuma mwadhi kuvaJudha, vose vakanga vari pamativi ane zana namakumi maviri namanomwe enyika yamambo Ahashivheroshi, akanga ana mashoko orugare nezvokwadi,
9:31b.EST.009.031 kuzosimbisa mazuva iwayo ePurimi panguva dzawo dzakatarwa, sezvavakarairwa naModhekai muJudha navahosi Esiteri, uye sezvavakanga vazvisunga ivo navana vavo pamusoro peshoko rokuzvinyima zvokudya nerokuchema kwavo.
9:32b.EST.009.032 Murayiro waEsiteri ukasimbisa mashoko iwayo ePurimi; zvikanyorwa mubhuku.
10
10:1b.EST.010.001 Zvino mambo Ahashivheroshi akateresa nyika, nezviwi zvegungwa.
10:2b.EST.010.002 Zvino mabasa ake ose echikuriri, nesimba rake, uye zvose zvoukuru hwaModhekai, hwaakakudzwa nahwo namambo, hazvina kunyorwa here pabhuku yaMakoronike amadzimambo eMedhia nePerisa?
10:3b.EST.010.003 Nokuti Modhekai muJudha wakanga ari wechipiri paushe achitevera mambo Ahashivheroshi; aiva mukuru pakati pavaJudha, akadikanwa navazhinji vehama dzake; waitsvakira vanhu vake zvakanaka, achitaurira rudzi rwake rwose zvorugare.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Esther (Shona). Esther (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C587-1