2 Chronicles (Shona)

2 Chronicles (Shona)

1

1:1b.2CH.001.001 Zvino Soromoni mwanakomana waDhavhidhi akasimbiswa paushe hwake, Jehovha Mwari wake akava naye, akamukurisa zvikuru kwazvo.

1:2b.2CH.001.002 Zvino Soromoni akataura navaIsiraeri vose, navakuru vezviuru navamazana, navatongi, namachinda ose pakati paIsiraeri vose, ivo vakuru vedzimba dzamadzibaba.

1:3b.2CH.001.003 Ipapo Soromoni neungano yose pamwechete naye vakaenda kudunhu rakakwirira raiva paGibhiyoni; nokuti ndipo pakanga pane tende rokusangana raMwari, rakanga ravakwa murenje naMozisi muranda waJehovha.

1:4b.2CH.001.004 Asi Dhavhidhi akanga atora areka yaMwari paKiriatijearimi, akaiisa panzvimbo, Dhavhidhi yaakanga aigadzirira; nokuti akanga aidzikira tende paJerusaremu.

1:5b.2CH.001.005 Neareka yendarira yakanga yaumbwa naBhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, yakanga iripo pamberi petabhenakeri yaJehovha; Soromoni neungano yose vakairangarira.

1:6b.2CH.001.006 Soromoni akakwirako pamberi paJehovha kuaritari yendarira, yakanga iri patende rokusangana, akabayira pamusoro payo zvipiriso zvinopiswa zvine chiuru chezana.

1:7b.2CH.001.007 Zvino nousiku uhwo Mwari akazviratidza kuna Soromoni, akati kwaari, Kumbira chaunoda kuti ndikupe.

1:8b.2CH.001.008 Soromoni akati kuna Mwari Makaitira baba vangu Dhavhidhi tsitsi huru, mukandiita ini mambo panzvimbo yavo.

1:9b.2CH.001.009 Zvino Jehovha Mwari, shoko ramakapikira Dhavhidhi baba vangu ngarisimbiswe; nokuti makandiita mambo wavanhu vakafanana neguruva renyika pakuwanda kwavo.

1:10b.2CH.001.010 Zvino ndipei henyu njere nokuziva, kuti ndibude nokupinda pamberi pavanhu ava; nokuti ndiani angagona kutonga vanhu venyu ava vakawanda vakadai?

1:11b.2CH.001.011 Mwari akati kuna Soromoni, Zvawarangarira chinhu ichi mumoyo mako, ukasakumbira fuma, nezvakawanda, kana kukudzwa, kana kufa kwavavengi vako, kana kukumbira upenyu urefu, asi wakazvikumbirira njere nokuziva, kuti ugone kutonga vanhu vangu, vandakakuita mambo wavo;

1:12b.2CH.001.012 zvino njere nokuziva unozvipiwa iwe; uye ndichakupa fuma, nezvakawanda, nokukudzwa, zvisina kumbopiwa mumwe wamadzibaba akakutangira; uye hapana mumwe achakutevera uchava nezvakadai.

1:13b.2CH.001.013 Zvino Soromoni akabva panzvimbo yakakwirira yakanga iri paGibhiyoni, pamberi petende rokusangana, akasvika Jerusaremu, akabata ushe hwaIsiraeri. fuma yaSoromoni

1:14b.2CH.001.014 Soromoni akaunganidza ngoro navatasvi vamabhiza; akanga ane ngoro dzine chiuru chimwe namazana mana, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvine gumi nezviviri, vaakaisa mumaguta engoro nokuna mambo paJerusaremu.

1:15b.2CH.001.015 Mambo akaunganidza sirivha nendarama paJerusaremu zvikawanda zvikaita samabwe, nemisidhari ikaita semionde yaiva pamapani.

1:16b.2CH.001.016 Mabhiza aSoromoni aaiva nawo, aibva Ijipiti; vatengesi vamambo vaindoatorako vachiita mapoka-mapoka, boka rimwe nerimwe rino mutengo waro.

1:17b.2CH.001.017 Vakandozvitora Ijipiti, vakauya nazvo, ngoro imwe neimwe ichitengwa namashekeri esirivha ana mazana matanhatu, nebhiza rimwe nerimwe namashekeri ane zana namakumi mashanu; saizvozvowo madzimambo ose avaHiti, namadzimambo avaSiria aivigirwa izvozvo navo.

2

2:1b.2CH.002.001 Zvino Soromoni akada kuvakira zita raJehovha imba, neimba youshe hwake.

2:2b.2CH.002.002 Soromoni akaverenga varume vane zviuru zvina makumi manomwe kuzotakura mitoro, navarume vane zviuru zvina makumi masere kuzotema matanda pamakomo, navane zviuru zvitatu namazana matanhatu kuzova vatariri vavo.

2:3b.2CH.002.003 Soromoni akatuma shoko kuna Hurami mambo weTire, akati, Sezvamakaitira baba vangu Dhavhidhi, mukavatumira misidhari yokuzvivakira nayo imba yokugaramo, mundiitirewo saizvozvo.

2:4b.2CH.002.004 Tarirai, ndovakira zita raJehovha Mwari wangu imba, ndimutsaurire iyo, kuti ndipisire pamberi pake zvinonhuwira zvemiti yakanaka, nokuisapo zvingwa zvokuratidza zvenguva dzose nezvipiriso zvinopiswa mangwanani namadekwana, pamaSabata, napakugara kwomwedzi, napamitambo yakatarwa naJehovha Mwari wedu. Ndizvo zvakarairwa vaIsiraeri nokusingaperi.

2:5b.2CH.002.005 Imba yandinovaka ihuru; nokuti Mwari wedu mukuru kupfuura vamwari vose.

2:6b.2CH.002.006 Asi ndianiko anogona kumuvakira imba, denga nokudenga-denga zvarisingagoni kumuringana? Zvino ini ndini aniko, kuti ndimuvakire imba, asi kungopisa zvinonhuwira pamberi pake?

2:7b.2CH.002.007 Naizvozvo zvino chinditumirai murume akangwara pakubata mabasa endarama, nesirivha, nendarira, namatare, nemicheka mishava, nemitsvuku, nemitema, uye anoziva kuveza zvose, abate pamwechete navarume vakangwara vandinavo paJudha napaJerusaremu, vakaiswapo nababa vangu Dhavhidhi.

2:8b.2CH.002.008 Nditumireiwo misidhari, nemisipiresi, namatanda emiarigumi yapaRibhanoni; nokuti ndinoziva kuti varanda venyu, vane njere dzokutema matanda paRibhanoni; tarirai varanda vangu vachava navaranda venyu,

2:9b.2CH.002.009 kundigadzirira matanda akawanda; nokuti imba yandobva ndovaka ichava huru zvinoshamisa.

2:10b.2CH.002.010 Tarirai, ndichapa varanda venyu, ivo vanotema matanda, zviyero zvine zviuru zvamakumi maviri zvezviyo, nezviyero zvine zviuru zvamakumi maviri zvebhari, namabhati ane zviuru zvamakumi maviri ewaini, namabhati ane zviuru zvamakumi maviri amafuta.

2:11b.2CH.002.011 Ipapo Hurami mambo weTire akapindura mutsamba yaakatuma kuna Soromoni, akati, Jehovha akada vanhu vake, saka akakuita mambo wavo.

2:12b.2CH.002.012 Hurami akatiwo, Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, iye akasika denga napasi, akapa mambo Dhavhidhi mwanakomana akangwara, akapiwa kungwara nokuziva, kuvakira Jehovha imba neimba youshe hwake.

2:13b.2CH.002.013 Zvino ndatuma munhu akachenjera, akapiwa zivo, iye Hurami Abhi,

2:14b.2CH.002.014 mwanakomana womukadzi pakati pavakunda vaDhani, baba vake aiva munhu weTire, anoziva kubata mabasa endarama, nesirivha, nendarira, namatare, namabwe, namatanda, nemicheka mishava, nemitema, nemicheka yakaisvonaka, nemicheka mitsvuku; uye kuveza kwose, nokufunga mano ose; iye ngaapiwe ugaro pakati pavarume venyu vakachenjera, navarume vakachenjera vashe wangu Dhavhidhi baba venyu.

2:15b.2CH.002.015 Naizvozvo zvino ishe wangu ngaatumire varanda vake zviyo, nebhari, namafuta newaini, sezvaakataura;

2:16b.2CH.002.016 isu tichatema matanda paRebhanoni, sezvamunoda; tichaasvitsa kwamuri akabatanidzwa, aende Jopa negungwa; imi mugokwira nawo Jerusaremu.

2:17b.2CH.002.017 Ipapo Soromoni akaverenga vatorwa vose vaiva panyika yaIsiraeri, sezvavakanga vaverengwa naDhavhidhi baba vake, vakasvika zviuru zvine zana namakumi mashanu nezvitatu namazana matanhatu.

2:18b.2CH.002.018 Akaraira vane zviuru zvina makumi manomwe vave vatakuri vemitoro, navane zviuru zvina makumi masere vateme matanda pamakomo, uye vane zviuru zvitatu namazana matanhatu vave vatariri kuzoraira vanhu pakubata.

3

3:1b.2CH.003.001 Ipapo Soromoni akatanga kuvaka imba yaJehovha paJerusaremu pagomo reMoria, pakanga pazviratidza Jehovha kuna Dhavhidhi baba vake, akagadzira ipapo pakanga parairwa naDhavhidhi paburiro raOrinani muJebhusi.

3:2b.2CH.003.002 Akatanga kuvaka pazuva repiri romwedzi wechipiri, negore rechina rokubata kwake ushe.

3:3b.2CH.003.003 Zvino ndidzo nheyo dzakavambwa naSoromoni pakuvaka imba yaMwari; kureba kwayo, kana vachienzanisa namakubhiti akare, makubhiti ana makumi matanhatu, noupamhi makubhiti makumi maviri.

3:4b.2CH.003.004 Biravira, raiva pamberi peimba, kureba kwaro kwakanga kwakafanana noupamhi hweimba, makubhiti makumi maviri, nokukwirira kwaro makubhiti ane zana namakumi maviri, akaifukidza nechomukati nendarama yakaisvonaka.

3:5b.2CH.003.005 Akafukidza imba huru namatanda omusipiresi, akafukidzwa nendarama yakaisvonaka, akavezera pamusoro pawo muchindwe namaketani.

3:6b.2CH.003.006 Akashongedza imba ukomba hwamabwe anokosha; ndarama yakanga iri ndarama yeParivhaimi.

3:7b.2CH.003.007 Akafukidzawo imba nendarama, namatanda ayo, nezvikumbaridzo zvayo, namadziro ayo, namagonhi ayo; akavezera makerubhi pamadziro.

3:8b.2CH.003.008 Akavakawo imba tsvene-tsvene; kureba kwayo kwakanga kwakafanana nohupamhi hweimba, makubhiti ana makumi maviri, noupamhi hwayo makubhiti ana makumi maviri; akaifukidza nendarama yakaisvonaka yakasvika matarenta mazana matanhatu.

3:9b.2CH.003.009 Kurema kwembambo kwakasvika mashekeri endarama ana makumi mashanu. Akafukidza makamuri okumusoro nendarama.

3:10b.2CH.003.010 Paimba tsvene-tsvene akaita makerubhi maviri zviri zvifananidzo zvakavezwa; akaafukidza nendarama.

3:11b.2CH.003.011 Mapapiro amakerubhi akasvika makubhiti ana makumi maviri pakureba kwawo; bapiro rerimwe rakanga rina makubhiti mashanu, richisvika kumadziro eimba; nerimwe bapirowo rakanga rina makubhiti mashanu, richisvika kubapiro rerimwe kerubhi.

3:12b.2CH.003.012 Nebapiro rerimwe kerubhi rakanga rina makubhiti mashanu, richisvika kumadziro eimba; nerimwe bapirowo rakanga rina makubhiti mashanu, richibatana nebapiro rerimwe kerubhi.

3:13b.2CH.003.013 Mapapiro amakerubhi awa akanga akatambanudzwa, akasvika makubhiti makumi maviri; akanga amire namakumbo awo, zviso zvawo zvakaringira kumba.

3:14b.2CH.003.014 Akaitawo chidzitiro nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka-naka; akasonerapo makerubhi.

3:15b.2CH.003.015 Akaitawo pamberi peimba mbiru mbiri; kukwirira kwadzo kwakasvika makubhiti ana makumi matatu namashanu, nomusoro wakanga uri pamusoro peimwe neimwe wakasvika makubhiti mashanu.

3:16b.2CH.003.016 Akaitawo maketani panzvimbo tsvene, akaaisa pamisoro yembiru; akaita matamba ane zana, akaaisa pamaketani.

3:17b.2CH.003.017 Akamisa mbiru mbiri pamberi petemberi, imwe kurudyi, imwe kuruboshwe; yokurudyi akaitumidza zita rinonzi Jakini, neyokuruboshwe akaitumidza Bhoazi.

4

4:1b.2CH.004.001 Akaitawo aritari yendarira, kureba kwayo kwakanga kuna makubhiti ana makumi maviri, nokukwirira kwayo ane gumi.

4:2b.2CH.004.002 Akaitawo dziva rendarira yakanyauswa, rakasvika makubhiti ane gumi paupamhi pamuromo, rakatenderera; nokukwirira kwaro kwakasvika makubhiti mashanu; uye pakuyera rwonzi rwakasvika makubhiti ana makumi matatu rwakaripoteredza.

4:3b.2CH.004.003 Pasi paro pakanga pane zvifananidzo zvenzombe dzakanga dzichirikomberedza, zvichiita gumi pakubhiti rimwe nerimwe, zvichipoteredza dziva. Nzombe dzakaita misara miviri, dzakaumbwa pamwechete naro pakuumbwa kwaro.

4:4b.2CH.004.004 Rakanga rimire pamusoro penzombe gumi nembiri, nhatu dzakanga dzakatarira kurutivi rwokumusoro, nhatu kurutivi rwamavirazuva, nhatu kurutivi rwezasi, nenhatu kurutivi rwamabvazuva; dziva rakanga rakagadzwa pamusoro padzo, idzo dzakafuratirana.

4:5b.2CH.004.005 Ukobvu hwaro hwakanga hwakaita soupamhi hwechanza, nomuromo waro wakanga wakafanana nomuromo wembiya, seruva rehapa; mukati makadirwa uye makaringana mabhati ane zviuru zvitatu.

4:6b.2CH.004.006 Akaitawo midziyo yokusukira ine gumi, akaisa mishanu kurudyi nemishanu kuruboshwe, yokusukiramo; zvinhu zvezvipiriso, zvaipiswa, zvaisukirwamo; asi dziva rakanga riri ravapirisiti rokushambidziramo.

4:7b.2CH.004.007 Akaitawo zvigadziko zvemwenje zvine gumi zvendarama, sezvaakanga arairwa pamusoro pazvo; akazviisa patemberi, zvishanu kurudyi uye zvishanu kuruboshwe.

4:8b.2CH.004.008 Akaitawo tafura dzine gumi, akadziisa mutemberi, shanu kurudyi uye shanu kuruboshwe. Akaita midziyo yendarama ine zana.

4:9b.2CH.004.009 Uye akaitawo ruvazhe rwavapirisiti, noruvazhe rukuru, nemikova yoruvazhe, akafukidza mikova yarwo nendarira.

4:10b.2CH.004.010 Akaisa dziva kurutivi rworudyi rweimba kumabvazuva, kwakatarira zasi.

4:11b.2CH.004.011 Hurami akaita hari, nefoshoro, nembiya. Naizvozvo Hurami akapedza mabasa ose aakaitira Soromoni paimba yaJehovha;

4:12b.2CH.004.012 zvaiti: mbiru mbiri, nembiya, nemisoro miviri, yakanga iri pamisoro yembiru; nemimbure miviri yokufukidza nayo mbiya mbiri dzemisoro miviri yakanga iri pamisoro yembiru;

4:13b.2CH.004.013 namatamba ana mazana mana emimbure miviri, misara miviri yamatamba pamumbure mumwe nomumwe, kufukidza mbiya mbiri yemisoro yakanga iri pamusoro pembiru;

4:14b.2CH.004.014 akaitawo zvingoro zvine gumi, nemidziyo yokushambidzira pamusoro pezvingoro;

4:15b.2CH.004.015 nedziva rimwe, nenzombe gumi nembiri pasi pedziva.

4:16b.2CH.004.016 Nehariwo, nefoshoro, nezvikokovonho zvenyama, nenhumbi dzose dzayo, Hurami Abhi wakazviitira mambo Soromoni nendarira inobwinya, zvive zveimba yaJehovha.

4:17b.2CH.004.017 Mambo akazviumba pabani raJorodhani, pakati peSukoti neZeredha.

4:18b.2CH.004.018 Saizvozvo Soromoni akaita nhumbi dzose idzi dzakawanda kwazvo; nokuti kurema kwendarira kwakanga kusingayerwi.

4:19b.2CH.004.019 Soromoni akaita nhumbi dzose dzakanga dziri mumba maMwari, nearitari yendarirawo netafura pakanga pane zvingwa zvokuratidza;

4:20b.2CH.004.020 nezvigadziko zvemwenje nemwenje yazvo, kuti ipfute pamberi penzvimbo tsvene, sezvavakanga varairwa, zviri zvendarama;

4:21b.2CH.004.021 namaruva, nemwenje, nembato, zvendarama, iri pandarama yakanaka kwazvo;

4:22b.2CH.004.022 nembato, nembiya, nezvirongo, nezvaenga zvomoto, zviri zvendarama yakaisvonaka; napavakapinda napo paimba, mikova yomukati yayo yenzvimbo tsvene-tsvene; nemikova yeimba, iyo temberi, yakanga iri yendarama.

5

5:1b.2CH.005.001 Saizvozvo mabasa ose akaitirwa imba yaJehovha naSoromoni akapera. Zvino Soromoni akapinza zvinhu zvakanga zvatsaurirwa Jehovha nababa vake Dhavhidhi, sirivha, nendarama, nenhumbi dzose, akadziisa muzvivigiro zveimba yaMwari. Temberi inotsaurirwa Jehovha

5:2b.2CH.005.002 Zvino Soromoni akaunganidza vakuru valsiraeri, navakuru vose vamarudzi, iwo machinda edzimba dzamadzibaba avana vaIsiraeri, paJerusaremu, akakwidza areka yesungano yaJehovha ibve paguta raDhavhidhi, iro Ziyoni.

5:3b.2CH.005.003 Varume vose vaIsiraeri vakaungana kuna mambo pamutambo, wakanga uri pamwedzi wechinomwe.

5:4b.2CH.005.004 Vakuru vose vaIsiraeri vakasvika, vaRevhi vakasimudza areka.

5:5b.2CH.005.005 Vakakwira neareka, netende rokusangana, nenhumbi dzose tsvene dzakanga dziri muTende; vapirisiti vaRevhi vakakwira naizvozvo.

5:6b.2CH.005.006 Mambo Soromoni, neungano yose yavaIsiraeri yakanga yaunganira kwaari, vakafamba pamberi peareka, vakabayira makwai nenzombe, zvakanga zvisingagoni kuverengwa nokuwanda kwazvo.

5:7b.2CH.005.007 Ipapo vapirisiti vakagadzika areka yesungano yaJehovha panzvimbo yayo, panzvimbo tsvene yeimba, panzvimbo tsvene-tsvene, ipo panyasi pamapapiro amakerubhi.

5:8b.2CH.005.008 Nokuti makerubhi akatambanudza mapapiro awo pamusoro penzvimbo yeareka, makerubhi akafukidza areka namatanda ayo nechokumusoro.

5:9b.2CH.005.009 Matanda akanga akareba; naizvozvo miromo yamatanda yakanga ichionekwa kana munhu ari paareka pamberi penzvimbo tsvene; asi akanga asingaonekwi nechokunze, ichipo kusvikira nhasi.

5:10b.2CH.005.010 Mukati meareka makanga musisine chiro, asi mahwendefa maviri akanga aiswamo naMozisi paHorebhu, nguva Jehovha yaakaita sungano navana valsiraeri pakubuda kwavo paIjipiti.

5:11b.2CH.005.011 Zvino vapirisiti vakati vabuda panzvimbo tsvene, (nokuti vapirisiti vose, vakanga varipo, vakanga vazvinatsa, vasingaiti hanya namapoka avo;

5:12b.2CH.005.012 navaRevhi vosewo, vaiva vaimbi, vose vavo, vaiti, Asafi, naHemani, naJedhutuni, navanakomana vavo, navananununa vavo, vakafuka micheka yakanaka kwazvo, vanamakandira, nemitengerangwa, nembira, vakamira kurutivi rwamabvazuva rwearitari, uye pamwechete navo vapirisiti vane zana namakumi maviri, vachiridza hwamanda;)

5:13b.2CH.005.013 zvino varidzi vehwamanda, navaimbi, vakati vachiita mawa, vachiita nenzwi rimwe vachirumbidza nokuvonga Jehovha; vakati vachiimbisa pamwechete nehwamanda, namakandira, nezvokuridzisa nazvo, vachirumbidza Jehovha, vachiti, Nokuti akanaka; nokuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi; ipapo imba yakazara negore, iyo imba yaJehovha;

5:14b.2CH.005.014 naizvozvo vapirisiti vakanga vasingagoni kumira pabasa nokuda kwegore; nokuti kubwinya kwaJehovha kwakazadza imba yaMwari.

6

6:1b.2CH.006.001 Ipapo Soromoni akati, Jehovha akati, ndinoda kugara mukati merima guru.

6:2b.2CH.006.002 Asi ndakakuvakirai imba pamungagara, nenzvimbo yamungagara nokusingaperi.

6:3b.2CH.006.003 Zvino mambo akatendeudza chiso chake, akaropafadza ungano yose yaIsiraeri; ungano yose yaIsiraeri ikasimuka.

6:4b.2CH.006.004 Akati, Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, iye akataura nomuromo wake naDhavhidhi baba vangu, akazvizadzisa noruoko rwake, achiti,

6:5b.2CH.006.005 Kubva pazuva randakabudisa vanhu vangu vaIsiraeri paljipiti, handina kutsaura guta rimwe pamarudzi ose aIsiraeri, pavangandivakira imba, kuti zita rangu rigarepo; uye handina kutsaura munhu mumwe ave mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri;

6:6b.2CH.006.006 asi ndakatsaura Jerusaremu, kuti zita rangu rigarepo; uye ndakatsaura Dhavhidhi kuti abate vanhu vangu vaIsiraeri.

6:7b.2CH.006.007 Zvino Dhavhidhi baba vangu vakanga vachida kuvakira zita raJehovha Mwari waIsiraeri imba.

6:8b.2CH.006.008 Asi Jehovha akati kuna Dhavhidhi baba vangu, Wakaita zvakanaka, zvawakanga uchida kuvakira zita rangu imba;

6:9b.2CH.006.009 kunyange zvakadaro iwe haungavaki imba iyo; asi mwanakomana wako wauchabereka, ndiye achavakira zita rangu imba.

6:10b.2CH.006.010 Zvino Jehovha akaita shoko rake raakataura, nokuti ini ndamuka panzvimbo yaDhavhidhi baba vangu, ndikagara pachigaro choushe chalsiraeri, sezvakapika Jehovha, ndikavakira zita raJehovha Mwari walsiraeri imba.

6:11b.2CH.006.011 Imomo ndakaisa areka, mune sungano yaJehovha, yaakaita navana vaIsiraeri.

6:12b.2CH.006.012 Akamira pamberi pearitari yaJehovha, pamberi peungano yose yalsiraeri, akatambanudza maoko ake;

6:13b.2CH.006.013 (nokuti Soromoni akanga aita nendarira pokumira pakakwirira, kureba kwapo kwakasvika makubhiti mashanu, noupamhi makubhiti mashanu, nokukwirira makubhiti matatu, akazviisa pakati poruvazhe; akamira pamusoro pazvo, akapfugama pamberi peungano yose yaIsiraeri, akatambanudzira maoko ake kudenga;)

6:14b.2CH.006.014 akati, Jehovha Mwari waIsiraeri, hakuna mumwe Mwari akafanana nemi kudenga kumusoro kana panyika pasi; munorangarira sungano nenyasha kuvaranda venyu, vanofamba pamberi penyu nomoyo wavo wose.

6:15b.2CH.006.015 Imi makaitira muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu, sezvamakamupikira; mukataura nomuromo wenyu, mukazviita noruoko rwenyu, sezvazvakaita nhasi.

6:16b.2CH.006.016 Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari waIsiraeri, itirai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu, sezvamakamupikira, muchiti, Haungashaiwi munhu achagara pachigaro choushe chaIsiraeri pamberi pangu, kana vana vako vakangwarira kufamba kwavo, vakafamba pamberi pangu sezvawakafamba iwe pamberi pangu.

6:17b.2CH.006.017 Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari waIsiraeri, shoko renyu ngariitike, iro ramakataura kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu.

6:18b.2CH.006.018 Ko mukati Mwari ungagara panyika here? Tarira, denga nokudenga-denga hazvingamuringani; ndoda imba ino yandakavaka!

6:19b.2CH.006.019 Kunyange zvakadaro, ivai nehanya nomunyengetero womuranda wenyu, nokukumbira kwake, Jehovha Mwari wangu, munzwe kudanidzira nokunyengetera kwomuranda wenyu, kwaanonyengetera pamberi penyu nhasi.

6:20b.2CH.006.020 Meso enyu ngaarambe achirindira imba ino masikati nousiku, nzvimbo iyi yamakataura pamusoro payo, muchiti, muchagarisa zita renyupo; inzwai munyengetero womuranda wenyu waanozonyengetera akatarira kunzvimbo ino.

6:21b.2CH.006.021 Munzwe kukumbira kwomuranda wenyu, nokwavanhu venyu vaIsiraeri, kana vachizonyengetera vakatarira kunzvimbo iyi; donzwai iko kudenga, kwamunogara; zvino kana mukanzwa, muvakanganwire henyu.

6:22b.2CH.006.022 Kana munhu achinge atadzira waanogara naye, akapikiswa mhiko, akauya akapika pamberi pearitari yenyu muimba ino;

6:23b.2CH.006.023 inzwai iko kudenga, muite mururamisire varanda venyu, mupe akaipa mhosva, arohwe pamusoro pomufambiro wake; asi mururamisire akarurama, apiwe zvakafanira kururama kwake.

6:24b.2CH.006.024 Kana vanhu venyu vaIsiraeri vachinge vakundwa navavengi vavo, nemhaka yokuti vakakutadzirai; kana vakadzokerazve kwamuri, vakatenda zita renyu, vakanyengetera kwamuri nokukumbira muimba ino;

6:25b.2CH.006.025 inzwai iko kudenga, mukanganwire zvivi zvavanhu venyu vaIsiraeri, muvadzoserezve kunyika yamakavapa ivo madzibaba avo.

6:26b.2CH.006.026 Kana kudenga kuchinge kwazarirwa, mvura ikasanaya nemhaka yokuti vakakutadzirai; kana vakanyengetera vakatarira kunzvimbo ino, vakatenda zita renyu, vatendeuka pazvivi zvavo, nokuti munenge mavarova;

6:27b.2CH.006.027 inzwai iko kudenga, mukanganwire zvivi zvavaranda venyu, nezvavanhu venyu vaIsiraeri, nokuti munovadzidzisa nzira yakanaka yavanofanira kufamba nayo; munise mvura panyika iyo yamakapa vanhu venyu kuti ive nhaka yavo.

6:28b.2CH.006.028 Kana nzara ikavapo panyika, kana denda rikavapo, kana nyunje nokuvhuvha zvikavapo, nemhashu nehonye; kana vavengi vavo vakavakomba panyika inamaguta avo; kana nyatwa kana hosha ipi neipi ikavapo.

6:29b.2CH.006.029 Kana munhu upi noupi, kana vanhu venyu vose valsiraeri vakanyengetera kana kukumbira, mumwe nomumwe achiziva kutambudzika kuri pamoyo wake kana kuchema kwake, akatambanudzira maoko ake kuimba ino;

6:30b.2CH.006.030 inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, mukanganwire muripire mumwe nomumwe zvakafanira mafambiro ake ose, iye wamunoziva moyo wake; (nokuti imi, imi moga, ndimi munoziva moyo yavana vavanhu vose;)

6:31b.2CH.006.031 kuti vakutyei, vafambe munzira dzenyu, nguva yose yavanogara panyika yamakapa madzibaba edu.

6:32b.2CH.006.032 Zvino kana ari mutorwa, asati ari wavanhu venyu vaIsiraeri, kana akabva kunyika iri kure nokuda kwezita renyu guru, noruoko rwenyu rune simba, noruoko rwenyu rwakatambanudzwa; kana akauya akanyengetera akatarira kuimba ino.

6:33b.2CH.006.033 Inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, muitire mutorwa zvose zvaanokumbira, kuti vanhu vose venyika vazive zita renyu, vakutyei, sezvinoita vanhu venyu vaIsiraeri, vazive kuti imba ino yandakavaka yakatumidzwa zita renyu.

6:34b.2CH.006.034 Kana vanhu venyu vakandorwa navavengi vavo, vakaenda nenzira ipi neipi yamuchavatuma nayo, vakanyengetera kwamuri vakatarira kuguta rino ramakatsaura, nokuimba yandakavakira zita renyu;

6:35b.2CH.006.035 inzwai henyu iko kudenga kunyengetera kwavo nokukumbira kwavo, muvaruramisire.

6:36b.2CH.006.036 Kana vakakutadzirai, (nokuti hakuna munhu asingatadzi), mukavatsamwira, mukavaisa kuvavengi vavo, vakatapwa kunyika yavavengi vavo, kana kure kana pedo.

6:37b.2CH.006.037 Kana vakazozvifunga panyika kwavakatapirwa, vakadzokazve, vakakumbira kwamuri panyika yokutapwa kwavo, vakati, Tatadza, taita zvakaipa, taita zvisakarurama;

6:38b.2CH.006.038 kana vakadzokerazve kwamuri nomoyo wavo wose, nomweya wose, panyika yokutapwa kwavo, kwavakatapirwa, vakanyengetera vakatarira kunyika yavo, yamakapa madzibaba avo, nokuguta ramakatsaura imwi, nokuimba yandakavakira zita renyu;

6:39b.2CH.006.039 inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, kunyengetera kwavo nokukumbira kwavo, muvaruramisire; mukanganwire vanhu venyu vakakutadzirai.

6:40b.2CH.006.040 Zvino Mwari wangu, meso enyu ngaasvinure, nenzeve dzenyu ngadziteerere zvakanaka munyengetero unonyengeterwa munzvimbo ino.

6:41b.2CH.006.041 Naizvozvo zvino simukai, Jehovha Mwari, mupinde munzvimbo yenyu yokuzorora, neareka yesimba renyu; vapirisiti venyu, Jehovha Mwari, ngavafukidzwe noruponeso, navatsvene venyu ngavafarire zvakanaka.

6:42b.2CH.006.042 Jehovha Mwari, musafuratira chiso chomuzodzwa wenyu; rangarirai mabasa akanaka aDhavhidhi muranda wenyu.

7

7:1b.2CH.007.001 Zvino Soromoni akati apedza kunyengetera, moto ndokuburuka kudenga, ukapedza chipiriso chinopiswa nezvimwe zvibayiro; kubwinya kwaJehovha kukazadza imba.

7:2b.2CH.007.002 Vapirisiti vakakoniwa kupinda muimba yaJehovha, nokuti kubwinya kwaJehovha kwakanga kwazadza imba yaJehovha.

7:3b.2CH.007.003 Vana vaIsiraeri vose vakatarira moto uchiburuka kudenga nokubwinya kwaJehovha kuchigara pamusoro peimba; vakakotamira pasi nezviso zvavo pakarongwa namabwe, vakanamata nokuvonga Jehovha, vachiti, Nokuti akanaka, nokuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi.

7:4b.2CH.007.004 Ipapo mambo navanhu vose vakabayira zvibayiro pamberi paJehovha.

7:5b.2CH.007.005 Mambo Soromoni akabayira chibayiro chenzombe dzine zviuru zvina makumi maviri nezviviri, namakwai ane zviuru zvine zana namakumi maviri. Saizvozvo mambo navanhu vose vakatsaurira Mwari imba iyo.

7:6b.2CH.007.006 Vapirisiti vakamirapo, sezvavakagoverwa mabasa avo; navaRevhivo vane zvokuridzira Jehovha, zvakaitwa namambo Dhavhidhi, zvokuvonga Jehovha nazvo, nokuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi, panguva iya Dhavhidhi yaakakudza Jehovha nazvo; vapirisiti vakaridza hwamanda pamberi pavo, vaIsiraeri vose vakamira.

7:7b.2CH.007.007 Soromoni akatsaurawo nzvimbo yapakati yoruvazhe rwakanga ruri pamberi peimba yaJehovha; nokuti ndipo paakabayira zvipiriso zvinopiswa, namafuta ezvipiriso zvokuyananisa; nokuti aritari yendarira yakaitwa naSoromoni yakanga isingagoni kuringana chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu, namafuta.

7:8b.2CH.007.008 Naizvozvo Soromoni akatamba mutambo panguva iyo mazuva manomwe, navaIsiraeri vose pamwechete naye, ikaita ungano huru-huru, kubva pavanopinda paHamati, kusvikira parukova rweIjipiti.

7:9b.2CH.007.009 Zvino pazuva rorusere vakatamba mutambo wokupedzisira; nokuti vakatsaura aritari mazuva manomwe, vakaita mutambo mazuva manomwe.

7:10b.2CH.007.010 Zvino pazuva ramakumi maviri namatatu romwedzi wechinomwe akaendisa vanhu kumatende avo nemoyo yakanga ichifara, ichifarira zvakanaka zvose zvakaitira Jehovha Dhavhidhi, naSoromoni, navanhu vake vaIsiraeri. Zvibayiro zvaSoromoni, nemitambo

7:11b.2CH.007.011 Saizvozvo Soromoni akapedza imba yaJehovha, neimba yamambo; zvose zvakanga zviri mumoyo waSoromoni kuita muimba yaJehovha, nomumba make, wakazviita kwazvo.

7:12b.2CH.007.012 Ipapo Jehovha akazviratidza kuna Soromoni usiku, akati kwaari, Ndanzwa kunyengetera kwako, ndazvitsaurira nzvimbo iyi, ive imba yokubayira zvibayiro.

7:13b.2CH.007.013 Kana ndichinge ndadzivira kudenga, kuti mvura irege kunaya, kana zvimwe ndichinge ndaraira mhashu, kuti dzipedze nyika, kana zvimwe ndichinge ndatuma denda pakati pavanhu vangu;

7:14b.2CH.007.014 kana vanhu vangu, vakatumidzwa nezita rangu, vakazvininipisa, vakanyengetera nokutsvaka chiso changu, nokurega nzira dzavo dzakaipa; ipapo ndichanzwa kudenga ndichavakanganwira zvivi zvavo, nokupodza nyika yavo.

7:15b.2CH.007.015 Zvino meso angu achasvinura, nzeve dzangu dzichateerera ndinzwe munyengetero unoitwa panzvimbo iyi.

7:16b.2CH.007.016 Nokuti zvino ndatsaura imba ino nokuiita tsvene, zita rangu rivepo nokusingaperi; meso angu nomoyo wangu zvichavapo nokusingaperi.

7:17b.2CH.007.017 Kana uriwe, kana ukafamba pamberi pangu sababa vako, Dhavhidhi, ukaita zvose zvandakakuraira, ukachengeta zvandatema nezvandatonga,

7:18b.2CH.007.018 ipapo ini ndichasimbisa chigaro chako choushe, sezvandakapikira baba vako Dhavhidhi, ndichiti, Haungashaiwi munhu achabata ushe hwaIsiraeri.

7:19b.2CH.007.019 Asi kana mukatsauka, mukasiya zvandatema nezvandaraira zvandakaisa pamberi penyu, mukandoshumira vamwe vamwari, mukavanamata;

7:20b.2CH.007.020 ipapo ndichavadzura nemidzi panyika yangu yandakavapa, neimba iyi yandakatsaurira zita rangu, ndichairashira kure ndirege kuiona, ndiite shumo nechiseko pakati pavanhu vose.

7:21b.2CH.007.021 Neimba iyi kunyange yakakwirira ikadai, vose vanopfuura nayo vachakanuka, vachiti, Jehovha wakaitireiko kudai nenyika ino, uye neimba iyi?

7:22b.2CH.007.022 Vachapindura, vachiti, Nokuti vakasiya Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, wakavabudisa panyika yeIjipiti, vakanamatira vamwe vamwari, vakavanamata, nokuvashumira; saka Jehovha akavapinza panjodzi idzi dzose.

8

8:1b.2CH.008.001 Makore makumi maviri akati apera, Soromoni aakavaka nawo imba yaJehovha neimba yake,

8:2b.2CH.008.002 Soromoni akavaka maguta akanga apiwa Soromoni naHurami, akagarisa vana vaIsiraeri imomo.

8:3b.2CH.008.003 Soromoni akaenda Hamatizobha, akarikunda.

8:4b.2CH.008.004 Akavaka Tadhimori murenje, namaguta ose amatura aakavaka paHamati.

8:5b.2CH.008.005 Akavakawo Bhetihoroni rokumusoro neBhetihoroni rezasi, ari maguta akakombwa namasvingo, anamasuo, namazariro;

8:6b.2CH.008.006 neBhaarati, namaguta ose engoro dzake, namaguta avatasvi vamabhiza ake, nezvose Soromoni zvaakanga achida kuzvivakira paJerusaremu, napaRebhanoni, napanyika yose yakabatwa naye.

8:7b.2CH.008.007 Kana vari vanhu vose vakanga vasara pavaHeti, navaAmori, navaPerizi, navaHivhi, navaJebhusi, vakanga vasi vavaIsiraeri;

8:8b.2CH.008.008 pavana vavo vakanga vasara panyika shure kwavo, vasati vakaparadzwa navalsiraeri, pakati pavo Soromoni akaraira chibharo chavaranda kusvikira nhasi.

8:9b.2CH.008.009 Asi Soromoni haana kuita varanda pakati pavana vaIsiraeri, asi ivo vakanga vari varwi, navakuru vavatungamiriri vake vehondo, navarairi vengoro dzake, navatasvi vamabhiza ake.

8:10b.2CH.008.010 Ndivo vaiva vatariri vakuru vamambo Soromoni, vaiva namazana maviri namakumi mashanu, vairaira vanhu.

8:11b.2CH.008.011 Zvino Soromoni akandotora mukunda waFarao muguta raDhavhidhi, akamuisa kuimba yaakanga amuvakira; nokuti akati, Mukadzi wangu haafaniri kugara muimba yaDhavhidhi mambo waIsiraeri, nokuti panzvimbo pasvika areka yaJehovha patsvene.

8:12b.2CH.008.012 Zvino Soromoni akabayira Jehovha zvipiriso zvinopiswa paaritari yaJehovha, yaakanga avaka pamberi pebiravira,

8:13b.2CH.008.013 sezvavaifanira kuita zuva rimwe nerimwe, vakabayira sezvavakanga varairwa naMozisi, pamaSabata, napakugara kwomwedzi, napamitambo yakatarwa, katatu pagore, pamutambo wezvingwa zvisine mvuviro, napamutambo wamavhiki, napamutambo wamatumba.

8:14b.2CH.008.014 Akagadza, sezvaakarairwa naDhavhidhi baba vake, mapoka avapirisiti pamabasa avo, navaRevhi pamabasa avo, kuti varumbidze nokubata pamberi pavapirisiti, sezvavaifanira kuita zuva rimwe nerimwe navatariri vemikova pamapoka avo pasuo rimwe nerimwe; nokuti ndizvo zvakanga zvarairwa naDhavhidhi munhu waMwari.

8:15b.2CH.008.015 Havana kutsauka pamurayiro wamambo kuvapirisiti navaRevhi pamusoro pezvinhu zvose napamusoro pefuma.

8:16b.2CH.008.016 Zvino mabasa ose aSoromoni akapera kugadzirwa pazuva rokuvambwa kweimba kusvikira pakupera kwayo. Imba yaJehovha ikazopera chose.

8:17b.2CH.008.017 Ipapo Soromoni akaenda EZiyonigebheri neEroti, pamhenderekedzo dzegungwa panyika yaEdhomu.

8:18b.2CH.008.018 Hurami akamutumira navaranda vake zvikepe, navaranda vaiziva gungwa kwazvo vakaenda; Ofiri navaranda vaSoromoni, vakandotorapo ndarama yakasvika matarenta mazana mana namakumi mashanu, vakauya nayo kuna mambo Soromoni.

9

9:1b.2CH.009.001 Zvino mambokadzi weShebha akati anzwa mbiri yaSoromoni, akasvika Jerusaremu kuzoidza Soromoni nemibvunzo mikukutu, ana vanhu vazhinji, makamera aitakura zvinonhuwira, nendarama zhinji-zhinji, nezvibwe zvinokosha; zvino akati asvika kuna Soromoni, akataurirana naye pamusoro pezvose zviri mumoyo make.

9:2b.2CH.009.002 Soromoni, akapindura mibvunzo yake yose; hakuna chinhu chakanga chakavanzirwa Soromoni, chaakanga asingagoni kumuudza.

9:3b.2CH.009.003 Zvino mambokadzi weShebha akati aona kungwara kwaSoromoni, neimba yaakavaka,

9:4b.2CH.009.004 nezvokudya zviri patafura yake, nokugara kwavaranda vake, nokushumira kwavabatiri vake, nenguvo dzavo, navadiri vake, nenguvo dzavo, nechikwiriso chake chaaikwira nacho kuimba yaJehovha, akapera mweya.

9:5b.2CH.009.005 Akati kuna mambo, Guhu randakanzwa munyika yangu ramashoko enyu nokungwara kwenyu rakanga riri razvokwadi.

9:6b.2CH.009.006 Asi handina kutenda mashoko avo, kusvikira ndauya, ndikaona nameso angu; asi tarirai handina kuudzwa kunyange hafu youkuru hwokungwara kwenyu; imi munokunda mbiri yandakanzwa.

9:7b.2CH.009.007 Varume venyu vano mufaro, navaranda venyu vano mufaro, vanomira pamberi penyu nguva dzose vachinzwa kungwara kwenyu.

9:8b.2CH.009.008 Jehovha Mwari wenyu ngaakudzwe, akafadzwa nemwi, akakugadzai pachigaro chake choushe, muve mambo waJehovha Mwari wenyu; nokuti Mwari wenyu akada Isiraeri, kuti avasimbise nokusingaperi, saka akakuitai mambo wavo, kuti mutonge nokururamisa.

9:9b.2CH.009.009 Akapa mambo matarenta ane zana namakumi maviri endarama, nezvinonhuwira zvizhinji kwazvo, nezvibwe zvinokosha; hakuna kumbovapo zvinonhuwira zvakawanda zvikadai, zvakafanana nezvakapiwa mambo Soromoni namambokadzi weShebha.

9:10b.2CH.009.010 Navarandawo vaHurami, navaranda vaSoromoni, ivo vaiuya nendarama vachibva Ofiri, vakauyawo nemiti yemiarigumi nezvibwe zvinokosha.

9:11b.2CH.009.011 Mambo akaita namatanda emiarigumi zvikwiriso zveimba yaJehovha, nezveimba yamambo, nembira nemitengerangwa zvavaimbi; zvakadai hazvina kumboonekwa panyika yaJudha.

9:12b.2CH.009.012 Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvose zvaaida nezvaakakumbira; zvimwe zvaakauya nazvo kuna mambo zvisingaverengwi. Naizvozvo akadzoka, akaenda kunyika yake, iye navaranda vake. fuma yaSoromoni nembiri yake

9:13b.2CH.009.013 Zvino ndarama yakauyiswa kuna Soromoni gore rimwe nerimwe yakasvika matarenta ana mazana matanhatu namakumi matanhatu namatanhatu pakurema kwayo;

9:14b.2CH.009.014 vasingaverengi iyo yakauya navashambadziri navatengesi; namadzimambo ose eArabhia navabati venyika vakauya nendarama nesirivha kuna Soromoni.

9:15b.2CH.009.015 Mambo Soromoni akaita nhovo huru dzina mazana maviri nendarama yakapambadzirwa; nhovo imwe neimwe yakanga yakaitwa namashekeri ana mazana matatu endarama;

9:16b.2CH.009.016 akaitawo nhovo duku dzina mazana matatu dzendarama yakapambadzirwa; ndarama yakasvika mashekeri ana mazana matatu yakaiswa panhovo imwe neimwe; mambo akazviisa muimba yedondo reRebhanoni.

9:17b.2CH.009.017 Mambo akaitawo chigaro chikuru choushe chenyanga dzenzou, akachifukidza nendarama yakaisvonaka.

9:18b.2CH.009.018 Chigaro icho choushe chakanga chine zvikwiriso zvitanhatu, nechitsiko chendarama, zvakanga zvakabatanidzwa nechigaro choushe, nezvitsigiro kunhivi mbiri dzechigaro, neshumba mbiri dzakanga dzimire kunhivi dzezvitsigiro.

9:19b.2CH.009.019 Kwakanga kune shumba gumi nembiri dzimire pazvikwiriso zvitanhatu, mbiri-mbiri kunhivi dzechimwe nechimwe; hakuna kumboitwa chakadai kuno umwe ushe.

9:20b.2CH.009.020 Mikombe yose yokunwa nayo yamambo Soromoni yaiva yendarama, nemidziyo yose yeimba yedondo reRebhanoni yaiva yendarama yakaisvonaka; sirivha yakanga ichinzi haino murimo pamazuva aSoromoni.

9:21b.2CH.009.021 Nokuti mambo akanga ane zvikepe zvaienda Tarishishi navaranda vaHurami; zvikepe zveTarishishi zvaiuya kamwechete pamakore matatu zvine ndarama, nesirivha nenyanga dzenzou, netsoko namatendera.

9:22b.2CH.009.022 Naizvozvo mambo Soromoni akakunda madzimambo ose enyika pakufuma nokuchenjera.

9:23b.2CH.009.023 Madzimambo ose enyika aiuya kushanyira Soromoni, kuzonzwa kungwara kwake, kwakanga kwaiswa naMwari mumoyo make.

9:24b.2CH.009.024 Mumwe nomumwe aiuya nechipo chake chemidziyo yesirivha, nemidziyo yendarama, nehanzu, nenhumbi dzokurwa nadzo, nezvinonhuwira, namabhiza, namahesera, gore rimwe nerimwe.

9:25b.2CH.009.025 Soromoni akanga ane zvidyiro zvamabhiza nengoro, zvine zviuru zvina, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvine gumi nezviviri, zvaakaisa pamaguta engoro, nokuna mambo paJerusaremu.

9:26b.2CH.009.026 Akabata ushe hwamadzimambo ose, kubva paRwizi kusvikira panyika yavaFirisitia, nokumuganhu weIjipiti.

9:27b.2CH.009.027 Mambo akaunganidza sirivha paJerusaremu ikawanda ikaita samabwe, nemisidhari ikaita semionde yaiva pamapani.

9:28b.2CH.009.028 Vakandotorera Soromoni mabhiza paIjipiti, nokunyika dzose. Kufa kwaSoromoni

9:29b.2CH.009.029 Zvino mamwe mabasa aSoromoni, okutanga nookupedzisira, haana kunyorwa here pabhuku yomuporofita Natani, napamashoko akaporofitwa naAhiya muShironi, napane zvakaonekwa nomuoni Idho pamusoro paJerobhoami mwanakomana waNebhati?

9:30b.2CH.009.030 Soromoni akabata ushe hwavaIsiraeri vose paJerusaremu makore ana makumi mana.

9:31b.2CH.009.031 Ipapo Soromoni akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake, Rehobhoamu mwanakomana wake akamutevera paushe.

10

10:1b.2CH.010.001 Zvino Rehobhoamu akaenda Shekemi, nokuti vaIsiraeri vose vakanga vaungana paShekemi kuzomuita mambo.

10:2b.2CH.010.002 Zvino Jerobhoami mwanakomana waNebhati, akati achizvinzwa, (nokuti akanga achiri Ijipiti kwaakanga atizira nokuda kwaSoromoni,) Jerobhoami ndokudzoka achibva Ijipiti.

10:3b.2CH.010.003 Vakatuma nhume kundomudana; Jerobhoami navaIsiraeri vose vakasvika vakataura naRehobhoamu, vakati,

10:4b.2CH.010.004 Baba venyu vakatitakudza joko rinogozha; naizvozvo zvino imi chirerusai basa rababa venyu rakanga richigozha, nejoko ravo rinorema ravakaisa pamusoro pedu, tigokushumirai.

10:5b.2CH.010.005 Iye akati kwavari, Dzokeraizve kwandiri kana mazuva matatu apera. Vanhu vakaenda.

10:6b.2CH.010.006 papo mambo Rehobhoamu akarangana navakuru, vaimira pamberi paSoromoni baba vake, vachiri vapenyu, akati, Mungandipa zano reiko, randingapindura vanhu ava naro?

10:7b.2CH.010.007 Ivo vakataura kwaari, vakati, Kana mukaitira vanhu ava nomoyo wakanaka, nokuvafadza, nokutaura mashoko akanaka kwavari, ipapo vachava varanda venyu nokusingaperi.

10:8b.2CH.010.008 Asi iye wakaramba zano ravakuru, ravakamupa, akarangana namajaya ezero rake, akanga achimira pamberi pake.

10:9b.2CH.010.009 Akati kwavari, Imi mungandipa zano reiko, ratingapindura naro vanhu ava vakataura neni, vachiti, Rerusai joko rakaiswa pamusoro pedu nababa venyu?

10:10b.2CH.010.010 Zvino majaya ezero rake akataura kwaari, akati, Iti kuvanhu ava vakataura newe, vachiti, Baba venyu vakatitakudza joko rinogozha, asi imi chitirerusirai iro, utaure kwavari uti, Mumwe wangu muduku mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu.

10:11b.2CH.010.011 Zvino, baba vangu zvavakakutakudzai joko rinorema, ini ndichawedzera pajoko renyu; baba vangu vaikurovai neshamhu, asi ini ndichakurovai nezvinyavada.

10:12b.2CH.010.012 Naizvozvo Jerobhoami navanhu vose vakasvika kuna Rehobhoamu nezuva retatu, sezvavakanga varairwa namambo, achiti, Dzokerai kwandirizve nezuva retatu.

10:13b.2CH.010.013 Mambo akavapindura nehasha; mambo Rehobhoamu akarasha zano ravakuru,

10:14b.2CH.010.014 akataura kwavari sezvaakanga apiwa zano namajaya, akati, Baba vangu vakakutakudzai joko rinorema, asi ini ndichawedzera pajoko renyu; baba vangu vaikurovai neshamhu, asi ini ndichakurovai nezvinyavada.

10:15b.2CH.010.015 Naizvozvo mambo haana kuteerera vanhu; nokuti zvakanga zvabva kuna Mwari, kuti Jehovha asimbise shoko rake, raakataura naAhija muShiro kuna Jerobhoami mwanakomana waNebhati.

10:16b.2CH.010.016 Zvino vaIsiraeri vose vakati vachiona kuti mambo haana kuvateerera, vanhu vakapindura mambo, vakati, Tino mugove weiko kuna Dhavhidhi? Uye hatine nhaka kumwanakomana weJese; endai henyu munhu mumwe nomumwe kutende rake, imi Isiraeri! Zvino Dhavhidhi, chitarira hako imba yako. Naizvozvo valsiraeri vose vakaenda kumatende avo.

10:17b.2CH.010.017 Asi kana vari vana vaIsiraeri, vakanga vagere mumaguta aJudha, Rehobhoamu aiva mambo wavo.

10:18b.2CH.010.018 Zvino mambo Rehobhoamu akatuma Hadhorami mutariri wavanhu vechibharo, vana vaIsiraeri vakamutaka namabwe, akafa. Ipapo mambo Rehobhoamu akachimbidzika kukwira ngoro yake, akatizira Jerusaremu.

10:19b.2CH.010.019 Saizvozvo vaIsiraeri vakamukira imba yaDhavhidhi kusvikira zuva ranhasi.

11

11:1b.2CH.011.001 Zvino Rehobhoamu akati achisvika Jerusaremu, akaunganidza veimba yaJudha naBhenjamini, varume vakatsaurwa vaiva nezviuru zvine zana namakumi masere, vaigona kurwa, kuti varwe navaIsiraeri, kuti vadzosere ushezve kuna Rehobhoamu.

11:2b.2CH.011.002 Asi shoko raJehovha rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari, richiti,

11:3b.2CH.011.003 Taura naRehobhoamu mwanakomana waSoromoni, mambo waJudha, navaIsiraeri vose paJudha naBhenjamini, uti,

11:4b.2CH.011.004 zvanzi naJehovha, Hamufaniri kukwira kundorwa nehama dzenyu; mumwe nomumwe ngaadzokere kumba kwake, nokuti chinhu ichi chinobva kwandiri. Naizvozvo vakateerera mashoko aJehovha, vakadzoka pakundorwa naJerobhoami.

11:5b.2CH.011.005 Rehobhoamu akagara Jerusaremu, akavaka maguta enhare paJudha.

11:6b.2CH.011.006 Akavaka Bheterehemu, neEtami, neTekoa,

11:7b.2CH.011.007 neBhetizuri, neSoko, neAdhuramu,

11:8b.2CH.011.008 neGati, neMaresha, neZifi,

11:9b.2CH.011.009 neAdhoraimi, neRakishi, neAzeka,

11:10b.2CH.011.010 neZora, neAijaroni, neHebhuroni, akanga ari maguta akakombwa paJudha neBhenjamini.

11:11b.2CH.011.011 Akasimbisa nhare, akaisamo vakuru, nezvokudya zvakaunganidzwamo, namafuta, newaini.

11:12b.2CH.011.012 Muguta rimwe nerimwe akaisa nhovo namapfumo, akaasimbisa kwazvo kwazvo. Judha naBenjamini vakanga vari vake.

11:13b.2CH.011.013 Navapirisiti navaRevhi, vaiva pakati palsiraeri yose, vakaungana kwaari, vachibva panyika yavo yose.

11:14b.2CH.011.014 Nokuti vaRevhi vakabva pamafuro avo nefuma yavo, vakaenda kwaJudha neJerusaremu; nokuti Jerobhoami navanakomana vake vakavadzinga, kuti varege kubata basa roupirisiti pamberi paJehovha.

11:15b.2CH.011.015 Iye akazvitsaurira vapirisiti vapamatunhu akakwirira, navezvifananidzo zvenhongo dzembudzi, navemhuru dzaakaita.

11:16b.2CH.011.016 Zvino vose pakati pamarudzi ose avaIsiraeri, vakanga vachitsvaka Jehovha nomoyo wose, vakavatevera, vakaenda Jerusaremu kuzobayira Jehovha Mwari wamadzibaba avo.

11:17b.2CH.011.017 Saizvozvo vakasimbisa ushe hwaJudha, vakasimbisa Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni, makore matatu; nokuti vakafamba panzira yaDhavhidhi naSoromoni makore matatu.

11:18b.2CH.011.018 Rehobhoamu akawana mukadzi, Maharati mukunda waJerimoti mwanakomana waDhavhidhi, nowaAbhihairi mukunda waEriabhi mwanakomana waJese.

11:19b.2CH.011.019 Iye akamuberekera vanakomana, vaiti: Jeushi, naShamaria, naZahami.

11:20b.2CH.011.020 Pashure akawanawo Maaka mukunda waAbhusaromu; iye akamuberekera Abhija, naAtai, naZiza, naSheromiti.

11:21b.2CH.011.021 Rehobhoamu akada Maaka mukunda waAbhusaromu kupfuura vakadzi vake vose navarongo vake; (nokuti akawana vakadzi vane gumi navasere navarongo vana makumi matanhatu, akabereka vanakomana vana makumi maviri navasere navanasikana makumi matanhatu.)

11:22b.2CH.011.022 Rehobhoamu akagadza Abhija mwanakomana waMaaka ave mukuru nomuchinda pakati pavana vababa vake; nokuti akanga achida kumuita mambo.

11:23b.2CH.011.023 Akaita nokungwara, akaparadzira vanakomana vake vose panyika dzose dzaJudha naBhenjamini kumaguta ose enhare; akavapa zvokudya zvakawanda. Akavatsvakirawo vakadzi vazhinji.

12

12:1b.2CH.012.001 Zvino ushe hwaRehobhoamu hwakati hwasimbiswa, iye ava nesimba, akarasha murayiro waJehovha, navaIsiraeri vose pamwechete naye.

12:2b.2CH.012.002 Zvino pagore rechishanu ramambo Rehobhoamu, Shishaki mambo weIjipiti akasvika kuzorwa neJerusaremu, nokuti vakanga vatadzira Jehovha,

12:3b.2CH.012.003 ane ngoro dzine chiuru chimwe namazana maviri, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvina makumi matanhatu, navanhu vakabva naye Ijipiti, vakanga vasingagoni kuverengwa, vaiti: vaRubhimi, navaSukimi, navaItiopia.

12:4b.2CH.012.004 Akakunda maguta akakombwa aJudha, akasvika Jerusaremu.

12:5b.2CH.012.005 Zvino Shemaya muporofita akasvika kuna Rehobhoamu nokumachinda aJudha akanga akaungana paJerusaremu nemhaka yaShishaki, akati kwavari, Zvanzi naJehovha, Mandirasha, saka ndakakuregeraiwo paruoko rwaShishaki.

12:6b.2CH.012.006 Ipapo machinda aIsiraeri namambo vakazvininipisa, vakati, Jehovha akarurama.

12:7b.2CH.012.007 Zvino Jehovha akati achiona kuti vazvininipisa, shoko raJehovha rikasvika kuna Shemaya, richiti, Vazvininipisa, handingavaparadzi, asi ndobva ndovarwira; kutsamwa kwangu hakungadururwi pamusoro peJerusaremu noruoko rwaShishaki.

12:8b.2CH.012.008 Kunyange zvakadaro vachava varanda vake; kuti vazive kuti zvakadini kundishumira ini nokushumira ushe hwenyika dzimwe.

12:9b.2CH.012.009 Naizvozvo Shishaki mambo weIjipiti akandorwa neJerusaremu, akatora fuma yeimba yaJehovha, nefuma yeimba yamambo; akazvitora zvose; akatorawo nhovo duku dzose dzendarama dzakaitwa naSoromoni.

12:10b.2CH.012.010 Ipapo mambo Rehobhoamu akaita panzvimbo yazvo nhovo duku dzendarira, akadziisa pamaoko avakuru vavarindi, vairinda mukova weimba yamambo.

12:11b.2CH.012.011 Zvino nguva dzose kana mambo achipinda mumba maJehovha, varindi vaidzibata, ndokudzidzoserazve mumba mavarindi.

12:12b.2CH.012.012 Zvino akati azvininipisa, kutsamwa kwaJehovha kukabviswa kwaari, akasaparadzwa chose; uyezve, kuna Judha zvimwe zvakanaka zvakawanikwa.

12:13b.2CH.012.013 Nokudaro mambo Rehobhoamu akazvisimbisa paJerusaremu, akabata ushe; nokuti Rehobhomu akanga ane makore makumi mana nerimwe pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe paJerusaremu makore ane gumi namanomwe, iro guta rakanga ratsaurwa naJehovha pamarudzi ose alsiraeri, kuti aise zita rakemo; zita ramai vake rakanga riri Naama muAmoni.

12:14b.2CH.012.014 Akaita zvakaipa, nokuti haana kushingaira kutsvaka Jehovha.

12:15b.2CH.012.015 Zvino mabasa aRehobhoamu, okutanga nookupedzisira, haana kunyorwa here mumashoko omuporofita Shemaya, noomuoni Idho, mazita amadziteteguru achiverengwawo? Zvino kurwa kwakanga kuripo pakati paRehobhoamu naJerobhoami nguva dzose.

12:16b.2CH.012.016 Rehobhoamu akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi; Abhija mwanakomana wake akamutevera paushe.

13

13:1b.2CH.013.001 Pagore regumi namasere ramambo Jerobhoami, Abhija akatanga kubata ushe hwaJudha.

13:2b.2CH.013.002 Akabata ushe paJerusaremu makore matatu; zita ramai vake rakanga riri Mikaya, mukunda waUrieri weGibhiya. Kurwa kukavapo pakati paAbhija naJerobhoami.

13:3b.2CH.013.003 Abhija akarwa ane hondo yavarwi dzaiva mhare, varume vakatsaurwa vane zviuru zvina mazana mana; Jerobhoamiwo akagadzira hondo kuzorwa naye, ana varume vakatsaurwa vane zviuru zvina mazana masere, vaiva varume vane simba noumhare.

13:4b.2CH.013.004 Abhija akamira pamusoro pegomo rainzi Zemaraimi, raiva panyika yamakomo yaEfuremu, akati, Ndinzwei, Jerobhoami navaIsiraeri vose!

13:5b.2CH.013.005 Ko hamufaniri kuziva here kuti Jehovha Mwari walsiraeri akapa Dhavhidhi ushe hwaIsiraeri nokusingaperi, iye navanakomana vake nesungano yomunyu?

13:6b.2CH.013.006 Asi Jerobhoami mwanakomana waNebhati, muranda waSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, akasimuka akamukira ishe wake.

13:7b.2CH.013.007 Kukaunganira kwaari vanhu vakaipa, vakaisvoipa, vakazvisimbisa kundorwa naRehobhoamu mwanakomana waSoromoni, iye Rehobhoamu achiri muduku ano moyo unotya, asingagoni kurwa navo.

13:8b.2CH.013.008 Zvino munoda kurwa novushe bwaJehovha bwuri mumaoko avanakomana vaDhavhidhi; zvamuri vanhu vazhinji, mune mhuru dzendarama dzakaitwa naJerobhoami kuti vave vamwari venyu.

13:9b.2CH.013.009 Hamuna kudzinga here vapirisiti vaJehovha, vanakomana vaAroni, navaRevhi, imi mukazvitsaurira vapirisiti netsika dzavanhu vedzimwe nyika? Naizvozvo Ani naani anouya kuzvitsaurira Mwari ane nzombe imwe namakondobwe manomwe, iye angava mupirisiti wavamwari vasati vari vamwari.

13:10b.2CH.013.010 Asi kana tirisu, Jehovha ndiMwari wedu, hatina kumurasha; isu tina vapirisiti vanoshumira Jehovha, ivo vanakomana vaAroni, navaRevhi pamabasa avo.

13:11b.2CH.013.011 Ndivo vanopisira Jehovha zvipiriso zvinopiswa nezvinonhuwira mangwanani ose namadekwana ose; nezvingwa zvokuratidza vanozvigadzira patafura yakaisvonaka; nechigadziko chendarama nemwenje yacho, kuvhenekera madekwana ose; nokuti tinochengeta zvatakarairwa naJehovha Mwari wedu; asi imi makamurasha.

13:12b.2CH.013.012 Zvino tarirai, Mwari anesu achititungamirira, navapirisiti vake vane hwamanda dzokuridza nadzo, kuti vakuridzirei mhere imi. Nhandi vana vaIsiraeri, regai kurwa naJehovha Mwari wamadzibaba enyu; nokuti hamungakundi.

13:13b.2CH.013.013 Asi Jerobhoami akaisa vavandiri kuti vavakombe necheshure kwavo; zvino ivo vakava pamberi paJudha, navavandiri vakanga vari shure kwavo.

13:14b.2CH.013.014 Zvino vaJudha vakati vachicheuka, vakaona kurwa mberi kwavo neshure kwavo; vakachema kuna Jehovha, vapirisiti vakaridza hwamanda.

13:15b.2CH.013.015 Ipapo vanhu vaJudha vakaridza mhere; vakati varidza mhere, Mwari akaparadza Jerobhoami navaIsiraeri vose pamberi paAbhija naJudha.

13:16b.2CH.013.016 Vana vaIsiraeri vakatiza pamberi paJudha, Mwari akavaisa mumaoko avo.

13:17b.2CH.013.017 Abhija navanhu vake vakavauraya nokuuraya kukuru; naizvozvo varume vakatsaurwa vane zviuru zvina mazana mashanu vakaurawa pakati paIsiraeri.

13:18b.2CH.013.018 Vana vaIsiraeri vakamanikidzwa saizvozvo nenguva iyo, vana vaJudha vakakunda, nokuti vakavimba naJehovha, Mwari wamadzibaba avo.

13:19b.2CH.013.019 Abhija akateverera Jerobhoami, akamutorera maguta, aiti: Bhetieri nemisha yaro, neJeshana nemisha yaro, neEfironi nemisha yaro.

13:20b.2CH.013.020 Jerobhoami haana kuzova nesimbazve pamazuva aAbhija; Jehovha ndokumurova, akafa.

13:21b.2CH.013.021 Asi Abhija akazvisimbisa, akawana vakadzi vane gumi navana, akabereka vanakomana vana makumi maviri navaviri, navanasikana vane gumi navatanhatu.

13:22b.2CH.013.022 Zvino mamwe mabasa aAbhija, netsika dzake, namashoko ake, zvakanyorwa padudziro yomuporofita Idho.

14

14:1b.2CH.014.001 Zvino Abhija akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi; Asa mwanakomana wake akamutevera paushe, pamazuva ake nyika yakanga ino rugare makore ane gumi.

14:2b.2CH.014.002 Asa akaita zvakanaka nezvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake.

14:3b.2CH.014.003 Nokuti akabvisa aritari dzavamwari vatorwa, namatunhu akakwirira, akaputsa shongwe, nokutemawo matanda okunamata nawo;

14:4b.2CH.014.004 akaraira vaJudha kuti vatsvake Jehovha Mwari wamadzibaba avo, nokuchengeta murau nomurayiro.

14:5b.2CH.014.005 Akabvisawo pamaguta ose avaJudha matunhu akakwirira nezvifananidzo zvezuva; ushe hukava norugare iye ari mambo.

14:6b.2CH.014.006 Akavaka maguta akakombwa paJudha; nokuti nyika yakanga ino rugare, akanga asina kurwa pamakore iwayo; nokuti Jehovha akanga amuzorodza.

14:7b.2CH.014.007 Nokuti akati kuvaJudha, Ngativake maguta iwayo, tiapoteredze namasvingo, neshongwe, namasuo, namazariro; nyika ichiri pamberi pedu, nokuti takatsvaka Jehovha Mwari wedu; takamutsvaka, akatizorodza pamativi ose. Ipapo vakavaka, vakagara zvakanaka.

14:8b.2CH.014.008 Asa akanga ane hondo yavaJudha, vane zviuru zvina mazana matatu, vakanga vakashonga nhovo huru namapfumo; neyavaBhenjamini vane zviuru zvina mazana maviri namakumi masere, vakanga vakashonga nhovo vaifura nouta; ava vose vaiva varume vane simba noumhare.

14:9b.2CH.014.009 Zvino Zera multiopia akauya kuzorwa navo nehondo yavanhu vane zviuru zvezviuru, nengoro dzina mazana matatu; akasvika Maresha.

14:10b.2CH.014.010 Ipapo Asa akabuda kuzorwa naye, vakagadzira kuzorwa pamupata weZefata paMaresha.

14:11b.2CH.014.011 Asa akachema kuna Jehovha Mwari wake, akati, Jehovha hakuna angabatsira asine simba kurwa nounesimba, asi imi moga; tibatsirei Jehovha Mwari wedu; nokuti tinovimba nemi, tasvika kuzorwa navazhinji ava nezita renyu. Imi Jehovha, ndimi Mwari wedu; munhu ngaarege kukukundai imi.

14:12b.2CH.014.012 Ipapo Jehovha akaparadza vaItiopia pamberi paAsa, napamberi pavaJudha, vaItiopia vakatiza.

14:13b.2CH.014.013 Asa navanhu vaakanga anavo vakavateverera kusvikira paGerari; vaItiopia vakaurawa vazhinji, vakakoniwa kuzosimbazve; nokuti vakaparadzwa pamberi paJehovha napamberi pehondo yake vaJudha vakaenda nezvizhinji kwazvo zvavakapamba.

14:14b.2CH.014.014 Vakaparadza maguta ose akapoteredza Gerari; nokuti vakavhunduswa naJehovha; vakapamba maguta ose, nokuti kwakanga kune zvingapambwa zvizhinji maari.

14:15b.2CH.014.015 Vakaparadzawo matende ezvipfuwo, vakatapa makwai mazhinji nemakamera, ndokudzokera Jerusaremu.

15

15:1b.2CH.015.001 Zvino Mweya waMwari wakauya pamusoro paAzaria mwanakomana waOdhedhi;

15:2b.2CH.015.002 akabuda kundosangana naAsa, akati kwaari, Nditeererei imi, Asa navaJudha navaBhenjamini mose; Jehovha anemi, kana imi munaye; kana mukamutsvaka achawanikwa nemi; asi kana mukamurasha, iye achakurashawo.

15:3b.2CH.015.003 Zvino nguva huru vaIsiraeri vakanga vasina Mwari wezvokwadi, kana mupirisiti anodzidzisa, kana murayiro;

15:4b.2CH.015.004 asi vakati vachitendeukira kuna Jehovha Mwari waIsiraeri pakutambudzika kwavo, nokumutsvaka, iye akawanikwa navo.

15:5b.2CH.015.005 Zvino nenguva iyo vaibuda novaipinda vakanga vagere panyika idzo, vaiva pakutambudzika kukuru.

15:6b.2CH.015.006 Vaiparadzana, rumwe rudzi ruchiparadza rumwe, rimwe guta richiparadza rimwe; nokuti Mwari aivatambudza nenhamo dzose.

15:7b.2CH.015.007 Asi ivai nesimba, maoko enyu ngaarege kushaiwa simba; nokuti basa renyu richapiwa mubayiro.

15:8b.2CH.015.008 Zvino Asa akati achinzwa mashoko awa, nezvakaporofitiwa nomuporofita Odhedhi, ndokutsunga moyo, akabvisa zvainyangadza panyika yose yaJudha naBenjamini, napamaguta aakanga akunda panyika yamakomo yaEfuremu; akavandudza aritari yaJehovha, yakanga iri pamberi pebiravira raJehovha.

15:9b.2CH.015.009 Ipapo akaunganidza vaJudha, navaBhenjamini vose, navatorwa vakanga vagere pakati pavo vaibva kuna Efuremu, naManase, naSimiyoni, nokuti vazhinji vaibva kuna Isiraeri vakauya kwaari, pakuona kwavo kuti Jehovha Mwari wake anaye.

15:10b.2CH.015.010 Naizvozvo vakaungana paJerusaremu nomwedzi wechitatu, negore regumi namashanu rokubata ushe kwaAsa.

15:11b.2CH.015.011 Vakabayira Jehovha zuva irero zvimwe zvavakanga vapamba vakauya nazvo, zvaiti: Nzombe dzina mazana manomwe, namakwai ane zviuru zvinomwe.

15:12b.2CH.015.012 Vakazvisunga kutsvaka Jehovha Mwari wamadzibaba avo nemoyo yavo yose uye nemweya yavo yose;

15:13b.2CH.015.013 uye kuti ani naani asingatsvaki Jehovha Mwari waIsiraeri aurawe, kana ari muduku kana ari mukuru, kana mukadzi kana murume.

15:14b.2CH.015.014 Vakapika kuna Jehovha nenzwi guru, nokupururudza, nehwamanda uye nemimanzi.

15:15b.2CH.015.015 VaJudha vose vakafara nokupika uku; nokuti vakanga vapika nemoyo yavo yose, nokumutsvaka nokuda kwavo kwose; iye akawanikwa navo; Jehovha ndokuvapa zororo kumativi ose.

15:16b.2CH.015.016 Akabvisawo Maaka mai vamambo Asa, pauhosi hwavo; nokuti vakanga vaitira Ashera chifananidzo chinonyangadza; Asa akaparadza chifananidzo chavo, akachikuyakuya, ndokuchipisa parukova Kidhironi.

15:17b.2CH.015.017 Asi matunhu akakwirira haana kubviswa pakati paIsiraeri; kunyange zvakadaro moyo waAsa wakanga wakarurama kwazvo mazuva ake ose.

15:18b.2CH.015.018 Akaisa mumba maMwari zvinhu zvakanga zvatsaurirwa Mwari nababa vake, nezvakanga zvatsaurwa naiye amene, sirivha, nendarama, nemidziyo.

15:19b.2CH.015.019 Kurwa hakuna kuzovapo kusvikira pagore ramakumi matatu namashanu rokubata ushe kwaAsa.

16

16:1b.2CH.016.001 Zvino negore ramakumi matatu namatanhatu rokubata ushe kwaAsa, Bhaasha mambo waIsiraeri akakwira kundorwa naJudha, akavaka Rama, kuti arege kutendera munhu kubuda kana kupinda kuna Asa mambo waJudha.

16:2b.2CH.016.002 Ipapo Asa akabudisa sirivha nendarama muzvivigiro zvefuma yeimba yaJehovha neimba yamambo, akatuma shoko kuna Bhenihadhadhi mambo weSiria, akanga agere Dhamasiko, akati,

16:3b.2CH.016.003 Sungano iripo pakati pangu nemi, sezvayakavapo pakati pababa vangu nababa venyu; tarirai, ndinokutumirai sirivha nendarama; endai muputse sungano yenyu naBhaasha mambo waIsiraeri, abve kwandiri.

16:4b.2CH.016.004 Bhenihadhadhi akateerera mambo Asa, akatuma vakuru vehondo dzake kundorwa namaguta aIsiraeri, akakunda Ijoni, neDhani, neAbherimaimi, namaguta ose amatura aNafutari.

16:5b.2CH.016.005 Zvino Bhaasha akati achizvinzwa, akarega kuvaka Rama, akarega basa rake.

16:6b.2CH.016.006 Ipapo mambo Asa akatora vaJudha vose; vakandobvisa mabwe eRama, namatanda aro zvaakanga avaka nazvo iye Bhaasha, akavaka nazvo Gebha neMizipa.

16:7b.2CH.016.007 Zvino nenguva iyo muoni Hanani akasvika kuna Asa mambo waJudha, akati kwaari, Zvawakavimba namambo weSiria, ukasavimba naJehovha Mwari wako, zvino hondo yamambo weSiria yapukunyuka paruoko rwako.

16:8b.2CH.016.008 Ko vaItiopia navaRubhimi vakanga vasi hondo huru-huru, vane ngoro navatasvi vamabhiza vazhinji here? Kunyange zvakadaro, zvawakavimba naJehovha, iye akavaisa muruoko rwako.

16:9b.2CH.016.009 Nokuti meso aJehovha anotarira-tarira kumativi ose enyika yose, kuti aratidze simba rake kuna iye ano moyo wakarurama kwazvo kwaari. Pachinhu ichi waita sebenzi; nokuti kubva zvino uchavingwa nokurwa.

16:10b.2CH.016.010 Ipapo Asa akatsamwira muoni, akamuisa mutorongo; nokuti akanga amutsamwira kwazvo nokuda kwechinhu ichi. Nenguva iyo Asa akatambudzawo vamwe vanhu.

16:11b.2CH.016.011 Zvino tarirai, mabasa aAsa, okutanga nookupedzisira, akanyorwa mubhuku yamadzimambo aJudha naaIsiraeri.

16:12b.2CH.016.012 Asi pagore ramakumi matatu namapfumbamwe rokubata kwake ushe, Asa akazonzwa makumbo; urwere hwake hukanyanya kwazvo; kunyange zvakadaro, paurwere hwake haana kutsvaka Jehovha, asi nanga.

16:13b.2CH.016.013 Asa akavata namadzibaba ake, akafa negore ramakumi mana nerimwe rokubata kwake ushe.

16:14b.2CH.016.014 Vakamuviga pamuhwiro hwake, hwaakanga azvivezera muguta raDhavhidhi, vakamuradzika panhovo dzizere nezvinonhuwira zvamarudzi mazhinji, zvakanga zvagadzirwa navaiti vezvinonhuwira vakangwara; vakamupis ira zvizhinji-zhinji.

17

17:1b.2CH.017.001 Zvino Jehoshafati mwanakomana wake akabata ushe pachigaro chake, akazvisimbisa kundorwa navaIsiraeri.

17:2b.2CH.017.002 Akaisa varwi mumaguta ose akakombwa aJudha, akaisawo mapoka avarwi panyika yaJudha, napamaguta aEfuremu, akanga akundwa naAsa baba vake.

17:3b.2CH.017.003 Jehovha akava naJehoshafati, nokuti akafamba munzira dzokutanga dzababa vake Dhavhidhi; haana kundobvunza vaBhaari;

17:4b.2CH.017.004 asi akabvunza Mwari wababa vake, akafamba nemirairo yake asingateveri mabasa aIsiraeri.

17:5b.2CH.017.005 Saka Jehovha akasimbisa ushe paruoko rwake; vaJudha vose vakavigira Jehoshafati zvipo, akava nefuma nokukudzwa zvizhinji.

17:6b.2CH.017.006 moyo wake ukashingairira nzira dzaJehovha; uye akabvisawo matunhu akakwirira namatanda okunamata nawo pakati paJudha.

17:7b.2CH.017.007 Uye pagore rechitatu rokubata kwake ushe akatuma machinda ake, vanaBhenihairi, naObhadhiya, naZekariya, naNetaneri, naMikaya, kundodzidzisa mumaguta aJudha;

17:8b.2CH.017.008 uye pamwechete navo vaRevhi, vana Shemaya, naNetania, naZebhadhia, naAshaheri, naShemiramoti, naJehonatani, naAdhonia, naTobhiya, naTobhiadhonia, vari vaRevhi; uye pamwechete navo Erishama naJehoramu, vapirisiti.

17:9b.2CH.017.009 Vakandodzidzisa pakati paJudha, vane bhuku yomurayiro waJehovha; vakafamba vachipota namaguta ose aJudha, vachidzidzisa pakati pavanhu.

17:10b.2CH.017.010 Ushe hwose hwenyika dzose dzakanga dzakapoteredza Judha, vakavhunduswa naJehovha, vakasarwa naJehoshafati.

17:11b.2CH.017.011 Vamwe vaFirisitia vakavigira Jehoshafati zvipo, nesirivha yomutero; vaArabhiawo vakamuvigira makwai, makondohwe ane zviuru zvinomwe namazana manomwe, nenhongo dzembudzi dzine zviuru zvinomwe namazana manomwe.

17:12b.2CH.017.012 Jehoshafati akazova mukuru kwazvo, akavaka pakati paJudha nhare namaguta amatura.

17:13b.2CH.017.013 Waiva namabasa mazhinji mumaguta aJudha, navarwi, varume vane simba noumhare paJerusaremu.

17:14b.2CH.017.014 Zvino ndiwo mazita avo nedzimba, dzamadzibaba avo: Pakati paJudha, vakuru vezviuru: Adhina mukuru, uye pamwechete naye varume vane simba noumhare vane zviuru zvina mazana matatu;

17:15b.2CH.017.015 tevere Jehohanani mukuru, uye pamwechete naye varume vane zviuru zvina mazana maviri namakumi masere;

17:16b.2CH.017.016 tevere Amasia mwanakomana waZikiri, wakazvipa kuna Jehovha nomoyo wake wose; uye pamwechete naye varume vane simba noumhare vane zviuru pakati

17:17b.2CH.017.017 pavaBhenjamini: Eriadha munhu ane simba noumhare, uye pamwechete naye varume vane zviuru zvina mazana maviri vakanga vakabata uta nenhovo;

17:18b.2CH.017.018 tevere Jehozabhadhi, uye pamwechete naye varume vane zviuru zvine zana namakumi masere, vakanga vakazvigadzirira kurwa.

17:19b.2CH.017.019 Ndivo vaibatira mambo, vamwe vakanga vaiswa namambo mumaguta akakombwa panyika yose yaJudha vasingaverengwi.

18

18:1b.2CH.018.001 Zvino Jehoshafati akanga ane fuma zhinji nokukudzwa kukuru; akawaniranawo naAhabhi.

18:2b.2CH.018.002 Zvino mamwe makore akati apfuura, iye akaburukira Samaria kuna Ahabhi. Ahabhi akamuurayira iye navanhu vaakanga anavo makwai nenzombe zhinji, akamukurudzira kuenda naye RamotiGiriyadhi.

18:3b.2CH.018.003 Ipapo Ahabhi mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati mambo waJudha, Muchaenda neni RamotiGiriyadhi here? Iye akapindura, akati, Ini ndakaita sewe, navanhu vangu savanhu vako; tichaenda newe kundorwa.

18:4b.2CH.018.004 Jehoshafati akati kuna mambo waIsiraeri, Dombobvunza hako shoko raJehovha nhasi.

18:5b.2CH.018.005 Zvino mambo waIsiraeri akaunganidza vaporofita, varume vaiva namazana mana, akati kwavari, Tiende kundorwa neRamotiGiriyadhi here, kana ndirege? Ivo vakati, Endai, nokuti Mwari achariisa mumaoko amambo.

18:6b.2CH.018.006 Asi Jehoshafati akati, Hakuchina mumwe muporofita waJehovha pano here, timubvunze?

18:7b.2CH.018.007 Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, Mumwe murume achiko, watingabvunza kuda kwaJehovha naye, asi ini ndinomuvenga, nokuti haatongoporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi mazuva ose zvakaipa; ndiye Mikaya mwanakomana waImira. Jehoshafati akati, Mambo ngaarege kudaro.

18:8b.2CH.018.008 Zvino mambo waIsiraeri akadana muranda, akati, Kurumidza undotora Mikaya mwanakomana waImira.

18:9b.2CH.018.009 Zvino mambo waIsiraeri naJehoshafati mambo waJudha vakanga vagere mumwe nomumwe pachigaro chake choushe, vagere vakafuka nguvo dzavo dzoushe padare pasuo reSamaria; vaporofita vose vakaporofita pamberi pavo.

18:10b.2CH.018.010 Zedhekia mwanakomana waKenaani akazviitira nyanga dzamatare, akati, Zvanzi naJehovha, Nedzidzi muchatunga vaSiria, kusvikira vapera.

18:11b.2CH.018.011 Navamwe vaporofita vose vakaporofita saizvozvo, vakati, Endai RamotiGiriyadhi, muchakunda, nokuti Jehovha achariisa paruoko rwamambo.

18:12b.2CH.018.012 Zvino nhume yakanga yandodana Mikaya yakataura kwaari, ikati, Tarirai, mashoko avaporofita anobvumirana achitaura zvakanaka kuna mambo; zvino ndinokumbira kuti shoko renyu rive seshoko romumwe wavo, mutaurewo zvakanaka.

18:13b.2CH.018.013 Ipapo Mikaya akati, NaJehovha mupenyu, izvo zvinorehwa naMwari wangu, ndizvo zvandichataura.

18:14b.2CH.018.014 Zvino akati achisvika kuna mambo, mambo akati kwaari, Mikaya, tiende kundorwa neRamotiGiriyadhi here, kana ndirege? Iye akati, Endai henyu, muchakunda; vachaiswa muruoko rwenyu.

18:15b.2CH.018.015 Mambo akati kwaari, Ndinofanira kukupikisa kangani kuti undiudze zvokwadi yoga nezita raJehovha?

18:16b.2CH.018.016 Iye akati, Ndakaona vaIsiraeri vose vakapararira pamakomo samakwai asina mufudzi; Jehovha akati, Ava havana tenzi, mumwe nomumwe ngaadzokere kumusha kwake norugare.

18:17b.2CH.018.017 Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, Handina kukuudza here, kuti haangaporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa?

18:18b.2CH.018.018 Mikaya akati, Zvino chinzwai shoko raJehovha, Ndakaona Jehovha agere pachigaro chake choushe, nehondo dzose dzokudenga dzimire kurudyi rwake nokuruboshwe rwake.

18:19b.2CH.018.019 Ipapo Jehovha akati, Ndianiko achandonyengera Ahabhi, aende, andourawa paRamotiGiriyadhi? Zvino mumwe akataura achiti zvokuti, nomumwezve akati zvokuti.

18:20b.2CH.018.020 Zvino mweya ukabuda, ukamira pamberi paJehovha, ukati, Ini ndichandomunyengera. Jehovha akati kwauri, Neiko?

18:21b.2CH.018.021 Iwo ukati, Ndichaenda, ndichava mweya wenhema mumiromo yavaporofita vake vose. Iye akati, Iwe ndiwe uchamunyengera, uchakundawo; enda hako, unoita saizvozvo.

18:22b.2CH.018.022 Naizvozvo zvino, tarirai Jehovha akaisa mweya wenhema mumiromo yavaporofita venyu ava vose, asi Jehovha akataura zvakaipa pamusoro penyu.

18:23b.2CH.018.023 Ipapo Zedhekia mwanakomana waKenaani akaswedera, akarova Mikaya padama rake, akati, Mweya waJehovha wakaenda nepiko uchibva kwandiri kundotaura newe?

18:24b.2CH.018.024 Mikaya akati, Uchazviona musi uyo wauchandovanda nawo mukamuri yomukati.

18:25b.2CH.018.025 Ipapo mambo waIsiraeri akati, Batai Mikaya, mumuise kuna Amoni mubati weguta, nokuna Joashi mwanakomana wamambo,

18:26b.2CH.018.026 muti, Zvanzi namambo, Pinzai munhu uyu mutorongo, mumupe zvokudya zvokutambudzika, nemvura yokutambudzika, kusvikira ndichidzoka norugare.

18:27b.2CH.018.027 Ipapo Mikaya akati, Kana mukatongodzoka norugare, Jehovha haana kutaura neni. Akati, Inzwai, imi vanhu, imi mose.

18:28b.2CH.018.028 Naizvozvo mambo waIsiraeri naJehoshafati mambo waJudha vakaenda RamotiGiriyadhi.

18:29b.2CH.018.029 Zvino mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, Ini ndichazvishandura, ndigondorwa; asi iwe chifuka nguvo dzako dzoushe. Mambo waIsiraeri akazvishandura, akandorwa.

18:30b.2CH.018.030 Zvino mambo weSiria akanga araira vatariri vengoro dzake, akati, Regai kurwa navaduku kana navakuru, asi namambo waIsiraeri oga.

18:31b.2CH.018.031 Zvino vatariri vengoro vakati vachiona Jehoshafati, vakati, Ndiye mambo waIsiraeri. Naizvozvo vakatsaukira kundorwa naye; asi Jehoshafati wakaridza mhere, Jehovha akamubatsira; Mwari akavakurudzira kumurega.

18:32b.2CH.018.032 Zvino vatariri vengoro vakati vachiona kuti haazi mambo waIsiraeri, vakadzoka pakumutevera.

18:33b.2CH.018.033 Zvino mumwe murume akawembura uta hwake asingashumbi hake, akafura mambo waIsiraeri pakati pezvisungo zvenguvo dzake dzokurwa nadzo; ipapo mambo akati kumufambisi wengoro, Dzoka, undiise kunze kwehondo, nokuti ndakuvadzwa kwazvo.

18:34b.2CH.018.034 Kurwa kukanyanya kwazvo nomusi uyo; asi mambo waIsiraeri wakazvitsigira mungoro yake akarwa navaSiria kusvikira madekwana; zvino panguva yokuvira kwezuva akafa.

19

19:1b.2CH.019.001 Zvino Jehoshafati mambo waJudha akadzokera norugare kumusha kwake paJerusaremu.

19:2b.2CH.019.002 Ipapo Jehu mwanakomana womuoni Hanani akaenda kundosangana naye, akati kuna mambo Jehoshafati, Zvakanaka kubatsira vakaipa, nokuda vanovenga Jehovha here? Nokuda kwechinhu ichi Jehovha akutsamwirai.

19:3b.2CH.019.003 Kunyange zvakadaro, zvimwe zvinhu zvakanaka zvakawanikwa kwamuri, nokuti makabvisa Asheroti panyika, mukatsvaka Mwari nomoyo wose.

19:4b.2CH.019.004 Jehoshafati akagara paJerusaremu, akabudazve pakati pavanhu kubva paBheerishebha kusvikira kunyika yamakomo yaEfuremu, akavadzoserazve kuna Jehovha Mwari wamadzibaba avo.

19:5b.2CH.019.005 Akagadza vatongi panyika pamaguta ose akakombwa aJudha, guta rimwe nerimwe;

19:6b.2CH.019.006 akati kuvatongi, Chenjerai zvamunoita; nokuti hamutongeri vanhu imi asi Jehovha; iye anemi pakutonga kwenyu.

19:7b.2CH.019.007 Naizvozvo zvino kutya Jehovha ngakuve nemi; chenjerai, muzviite, nokuti kuna Jehovha Mwari wedu hakune zvakaipa, kana kutsaura vanhu, kana kugamuchira fufuro.

19:8b.2CH.019.008 Jehoshafati akaisawo paJerusaremu vamwe vaRevhi navapirisiti, navakuru vedzimba dzamadzibaba aIsiraeri, kuzotonga zvinhu zvaJehovha nemhaka dzenharo. Ipapo vakadzokera Jerusaremu.

19:9b.2CH.019.009 Akavaraira, achiti, Ndizvo zvamunofanira kuita muchitya Jehovha, makatendeka, mune moyo yakarurama.

19:10b.2CH.019.010 Zvino kana mhaka yenharo ikasvika kwamuri ichibva kuhama dzenyu dzigere pamaguta avo, kana riri shoko rokuurayana, kana romurau kana murayiro, kana zvakatemwa kana zvakatongwa, munofanira kuvanyevera kuti varege kupara mhaka pana Jehovha, kuti murege kutsamwirwa imi nehama dzenyu; itai izvozvo, mugorega kuva nemhosva.

19:11b.2CH.019.011 Zvino tarirai, Amaria mupirisiti mukuru achakurairai pamashoko ose aJehovha; naZebhadhia mwanakomana waIshimaeri, mutariri weimba yaJudha, pamashoko ose amambo; navaRevhi vachava vatariri venyu. Itai nesimba, Jehovha ave navakanaka.

20

20:1b.2CH.020.001 Shure kwaizvozvo vana vaMoabhu, navana vaAmoni, navamwe vavaAmoni pamwechete navo, vakasvika kuzorwa naJehoshafati.

20:2b.2CH.020.002 Ipapo vamwe vakasvika, vakaudza Jehoshafati, vachiti, Vanhu vazhinji vanouya, vachibva Siria mhiri kwegungwa, kuzorwa nemi; tarirai, vari paHazazonitamari, (ndiro Enigedi).

20:3b.2CH.020.003 Ipapo Jehoshafati akatya, akashingaira kundobvunza Jehovha; akatara zuva rokuzvinyima zvokudya panyika yose yavaJudha.

20:4b.2CH.020.004 VaJudha vakaungana kuzotsvaka rubatsiro kuna Jehovha; vakabva kumaguta ose aJudha kuzotsvaka Jehovha.

20:5b.2CH.020.005 Jehoshafati akasimuka paungano yavaJudha navanhu veJerusaremu, mumba maJehovha, pamberi poruvazhe rutsva;

20:6b.2CH.020.006 akati, Haiwa, Jehovha Mwari wamadzibaba edu, imi hamuzi Mwari ari kudenga here? Imi hamuzi mubati woushe hwose hwendudzi here? Paruoko rwenyu pane simba noushe, naizvozvo hapano munhu angakudzivisai.

20:7b.2CH.020.007 Imi Mwari wedu, hamuna kudzinga here vaigara panyika ino pamberi pavanhu venyu vaIsiraeri, mukaipa vana vaAbhurahamu shamwari yenyu nokusingaperi?

20:8b.2CH.020.008 Vakagaramo, vakakuvakiraimo imba tsvene yezita renyu, vachiti,

20:9b.2CH.020.009 Kana tikawirwa nezvakaipa, kana munondo wokutonga, kana denda, kana nzara, tichamira pamberi peimba ino napamberi penyu, (nokuti zita renyu riri muimba ino), tigochema kwamuri tiri pakutambudzika kwedu; ipapo muchatinzwa nokutirwira,

20:10b.2CH.020.010 Zvino tarirai vana vaAmoni navaMoabhu navapagomo reSeiri, vamusina kutendera vaIsiraeri kupinda pakati pavo nguva yavakabva panyika yeIjipiti, asi vakavarega, vakasavaparadza;

20:11b.2CH.020.011 tarirai votitsiva, vachiuya kuzotidzinga panyika yenyu, yamakatipa ive nhaka yedu.

20:12b.2CH.020.012 Haiwa, Mwari wedu, hamungavatongi here? Nokuti hatine simba rokurwa navazhinji ava vanouya kuzorwa nesu; hatizivi chatingaita, asi meso edu akatarira kwamuri.

20:13b.2CH.020.013 Ipapo vaJudha vose vakamira pamberi paJehovha, pamwechete nepwere dzavo, navakadzi vavo, navana vavo.

20:14b.2CH.020.014 Mweya waJehovha ukauya pamusoro paJahazieri, mwanakomana waZekariya, mwanakomana waBhenaya, mwanakomana waJeieri, mwanakomana waMatanya, muRevhi, wavanakomana vaAsafi, pakati peungano;

20:15b.2CH.020.015 iye akati, Teererai, imi vaJudha mose, nemi mugere paJerusaremu, nemi mambo Jehoshafati; zvanzi naJehovha kwamuri, Musatya, kana kuvhunduka nokuda kwavanhu ava vazhinji, nokuti kurwa hakuzi kwenyu, asi ndokwaMwari.

20:16b.2CH.020.016 Burukai mangwana mundorwa navo; tarirai vanokwira napamukwidza weRizi; muchavawana pakuguma kwomupata, pamberi perenje reJerueri.

20:17b.2CH.020.017 Imi hamungafaniri henyu kurwapo; zvigadzireipo, murambe mumire henyu, muone kurwirwa kwenyu naJehovha, imi vaJudha naveJerusaremu; musatya kana kuvhunduswa; budai mangwana mundorwa navo, nokuti Jehovha anemi.

20:18b.2CH.020.018 Ipapo Jehoshafati akakotamisa musoro wake, chiso chakatarira pasi; vaJudha vose navakanga vagere Jerusaremu vakawira pasi pamberi paJehovha, vakanamata Jehovha.

20:19b.2CH.020.019 NavaRevhi vavana vavaKohati, navana vavaKora, vakasimuka vakarumbidza Jehovha Mwari waIsiraeri nenzwi guru kwazvo.

20:20b.2CH.020.020 Vakamuka mangwanani, ndokubudira kurenje reTekoa; zvino vakati vachibuda, Jehoshafati akamira, akati, Chindinzwai imi vaJudha nemi mugere Jerusaremu; tendai Jehovha Mwari wenyu, mugosimbiswa; tendai vaporofita vake, mugokunda.

20:21b.2CH.020.021 Zvino akati arangana navanhu, akagadza vaifanira kuimbira Jehovha, nokumurumbidza nenguvo tsvene, vakafamba pamberi pehondo, vachiti, Vongai Jehovha, nokuti nyasha dzake hadziperi.

20:22b.2CH.020.022 Zvino vakati vachitanga kuimba nokurumbidza, Jehovha akaisa vavandiri kuzorwa navana vaAmoni, navaMoabhu, navapagomo reSeiri, ivo vakanga vauya kuzorwa navaJudha; vakakundwa.

20:23b.2CH.020.023 Nokuti vana vaAmoni navaMoabhu vakamukira vakanga vagere pagomo reSeiri kuti vavauraye nokuvaparadza chose; zvino vakati vapedza avo vakanga vagere paSeiri, mumwe nomumwe ndokubatsira pakuurayana.

20:24b.2CH.020.024 Zvino vaJudha vakati vachisvika kurusvingo rwenharirire rwokurenje, vakatarira vanhu vazhinji, ndokuona zvava zvitunha zvawira pasi, kwakanga kusina akapukunyuka.

20:25b.2CH.020.025 Zvino Jehoshafati navanhu vake vakati vachisvika kuzotora zvavakanga vapamba, vakawana pakati pavo fuma zhinji, nezvipfeko, nezvinhu zvinokosha, vakazvitorera izvo, asi vakakoniwa kuzvitakura zvose nokuwanda kwazvo; vakaita mazuva matatu vachitora mhambara, nokuda kwokuwanda kwazvo.

20:26b.2CH.020.026 Zvino pazuva rechina vakaungana pamupata weBheraka; nokuti vakandokudza Jehovha ipapo; naizvozvo zita renzvimbo iyo rakatumidzwa Mupata weBheraka kusvikira zuva ranhasi.

20:27b.2CH.020.027 Ipapo vanhu vose vaJudha naveJerusaremu vakadzoka, Jehoshafati akavatungamirira, vakadzokera Jerusaremu nomufaro; nokuti Jehovha akanga avafadza pamusoro pavavengi vavo.

20:28b.2CH.020.028 Vakasvika Jerusaremu nemitengeramwa, nembira, nehwamanda, kusvikira paimba yaJehovha.

20:29b.2CH.020.029 Ipapo ushe hwose hwenyika iyo hwakatya Mwari kwazvo, pakunzwa kwavo kuti Jehovha akarwa navavengi vaIsiraeri.

20:30b.2CH.020.030 Zvino ushe hwaJehoshafati hwakava norugare; nokuti Mwari wake akamuzorodza pamativi ose.

20:31b.2CH.020.031 Jehoshafati akabata ushe hwaJudha; akanga asvika makore makumi matatu namashanu pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namashanu; zita ramai vake rakanga riri Azubha, mukunda waShirihi.

20:32b.2CH.020.032 Akafamba nenzira yababa vake Asa; haana kutsauka pairi, akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha.

20:33b.2CH.020.033 Kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa, navanhu vakanga vachigere kutevera Mwari wamadzibaba avo nomoyo wose.

20:34b.2CH.020.034 Zvino mamwe mabasa aJehoshafati, okutanga nookupedzisira, tarirai akanyorwa pamashoko aJehu, mwanakomana waHanani, akaiswa mubhuku yamadzimambo aIsiraeri.

20:35b.2CH.020.035 Shure kwaizvozvi Jehoshafati mambo waJudha wakasungana naAhazia mambo waIsiraeri; iye aifamba nenzira yakaipa kwazvo;

20:36b.2CH.020.036 akasungana naye pakuvaka zvikepe zvaienda Tarishishi; vakavaka zvikepe paEZiyonigebheri.

20:37b.2CH.020.037 Ipapo Eriezeri mwanakomana waDhodhavhahu weMaresha akaporofita pamusoro paJehoshafati, akati, Zvawasungana naAhazia, Jehovha waparadza mabasa ako. Zvikepe zvikaputsika, zvikakoniwa kuenda Tarishishi.

21

21:1b.2CH.021.001 Zvino Jehoshafati akavata namadzibaba ake, akavigwa namadzibaba ake muguta raDhavhidhi; Jehoramu mwanakomana wake akamutevera paushe.

21:2b.2CH.021.002 Iye akanga ana vanununa, vaiva vanakomana vaJehoshafati, vaiti: Azaria, naJehieri, naZekariya, naAzaria, naMikaeri, naShefatia; ava vose vaiva vanakomana vaJehoshafati mambo waIsiraeri.

21:3b.2CH.021.003 Baba vavo vakavapa zvipo zvikuru zvesirivha, nendarama, nezvinhu zvinokosha, pamwechete namaguta akakombwa paJudha; asi ushe wakahupa Jehoramu, nokuti iye akanga ari wedangwe.

21:4b.2CH.021.004 Zvino Jehoramu akati apinda paushe hwababa vake, ndokuzvisimbisa, akauraya vanununa vake vose nomunondo, navamwewo vamachinda aIsiraeri.

21:5b.2CH.021.005 Jehoramu akanga asvika makore makumi matatu namaviri pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore masere.

21:6b.2CH.021.006 Akafamba nenzira yamadzimambo alsiraeri, sezvakaita imba yaAhabhi; nokuti mukunda waAhabhi akanga ari mukadzi wake; akaita zvakaipa pamberi paJehovha.

21:7b.2CH.021.007 Kunyange zvakadaro Jehovha akanga asingadi kuparadza imba yaDhavhidhi, nokuda kwesungano yaakanga aita naDhavhidhi, uye nokuti akanga amupikira kuti achamupa mwenje iye navana vake nguva dzose.

21:8b.2CH.021.008 Zvino namazuva ake vaEdhomu vakamukira vaJudha, vakazviitira mambo wavo.

21:9b.2CH.021.009 Ipapo Jehoramu akaenda navakuru vake, ane ngoro dzake dzose naye; akamuka usiku, akaparadza vaEdhomu vakanga vakamukomba navakuru vengoro.

21:10b.2CH.021.010 Naizvozvo vaEdhomu vakamukira vaJudha, kusvikira zuva ranhasi. Ipapo veRibhinawo vakamumukira nenguva iyo; nokuti akanga arasha Jehovha, Mwari wamadzibaba ake.

21:11b.2CH.021.011 Akaitawo matunhu akakwirira pamakomo aJudha, akapatisa vagere Jerusaremu, nokutsausa vaJudha.

21:12b.2CH.021.012 Ipapo mwadhi yakabva kumuporofita Eria, ikasvika kwaari, ichiti, Zvanzi naJehovha Mwari wababa vako Dhavhidhi, Zvausina kufamba nenzira dzababa vako Jehoshafati, kana nenzira dzaAsa mambo waJudha;

21:13b.2CH.021.013 asi wakafamba nenzira dzamadzimambo aIsiraeri, ukapatisa Judha navagere Jerusaremu, sezvakaita imba yaAhabhi, ukaurayawo vanununa vako vakanga vakanaka kupfuura iwe;

21:14b.2CH.021.014 zvino tarira, Jehovha acharova vanhu vako, navana vako, navakadzi vako, nezvinhu zvako zvose, nenjodzi yakaipa;

21:15b.2CH.021.015 iwe uchava nehosha yakaipa yomuura kusvikira ura hwako huchibuda kunze nemhaka yehosha iyo zuva rimwe nerimwe.

21:16b.2CH.021.016 Zvino Jehovha akakurudzira mweya yavaFirisitia neyavaArabhia, vakanga vari kurutivi rwavaltiopia, kuzorwa naJehoramu;

21:17b.2CH.021.017 vakandorwa navaJudha, vakapinda nyika yavo nesimba, ndokutora nhumbi dzose dzavakawana mumba mamambo, navanakomana vake, navakadzi vake; naizvozvo haana kusarirwa nomwanakomana, kunyange nomumwe asi Jehoahazi, muduku wavanakomana vake vose.

21:18b.2CH.021.018 Shure kwaizvozvo zvose Jehovha akamurova muura hwake nehosha isingagoni kurapwa.

21:19b.2CH.021.019 Zvino makore maviri akati apera, ura hwake hukabuda kunze nemhaka yourwere, akafa nehosha dzakaipa; vanhu vake vakasamupisira, sezvavakapisira madzibaba ake.

21:20b.2CH.021.020 Akanga asvika makore makumi matatu namaviri pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore masere; akaenda hake asingadikanwi, vakamuviga paguta raDhavhidhi, asi havana kumuviga pamarinda amadzimambo.

22

22:1b.2CH.022.001 Zvino vagere Jerusaremu vakaita Ahazia, mwanakomana wake muduku, mambo panzvimbo yake, nokuti boka ravanhu, vakauya navaArabhia, vakanga vauraya vakuru vake vose. Naizvozvo Ahazia mwanakomana waJehoramu mambo waJudha, akabata ushe.

22:2b.2CH.022.002 Ahazia akanga asvika makore makumi mana namaviri pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu gore rimwe; zita ramai vake rakanga riri Ataria, mukunda waOmiri.

22:3b.2CH.022.003 Naiye akafamba nenzira dzeimba yaAhabhi; nokuti mai vake vaiva murairi wake pakuita zvakaipa.

22:4b.2CH.022.004 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha sezvakaitwa naveimba yaAhabhi; nokuti baba vake vakati vafa, ndivo vaiva varairi vake, vakamuisa pakuparadzwa.

22:5b.2CH.022.005 Akafambawo sezvavakamuraira, akaenda naJehoramu mwanakomana waAhabhi mambo waIsiraeri, kundorwa naHazaeri mambo weSiria paRamotiGiriyadhi; vaSiria vakakuvadza Jehoramu.

22:6b.2CH.022.006 Akadzokera Jezireeri kuzorapwa mavanga aakatemwa paRama, nguva yaakarwa naHazaeri mambo weSiria. Ipapo Azaria mwanakomana waJehoramu mambo waJudha, akaenda kundoona Jehoramu mwanakomana waAhabhi paJezireeri, nokuti akanga achirwara.

22:7b.2CH.022.007 Zvino kuparadzwa kwaAhazia kwakabva kuna Mwari, zvaakaenda kuna Joramu; nokuti akati asvikapo, akaenda naJehoramu kundorwa naJehu mwanakomana waNishi, akanga azodzwa naJehovha kuti aparadze imba yaAhabhi.

22:8b.2CH.022.008 Zvino Jehu akati achiitira imba yaAhabhi zvakanga zvatongwa naJehovha, akawana machinda aJudha navanakomana vavanununa vaAhazia vachibatira Ahazia, ndokuvauraya.

22:9b.2CH.022.009 Akatsvaka Ahaziawo; vakamubata, (nokuti akanga avanda paSamaria), vakamuisa kuna Jehu vakamuuraya; vakamuviga vakati, Mwanakomana waJehoshafati, akatsvaka Jehovha nomoyo wake wose. Asi kwakanga kusina mumwe weimba yaAhazia akanga ane simba rokubata ushe. Ataria anoparadza imba yaAhazia, asi Joashi anopukunyuka

22:10b.2CH.022.010 Zvino Ataria mai vaAhazia, vakati vachiona kuti mwanakomana wavo afa, vakasimuka, vakaparadza vose vorudzi rwamambo veimba yaJudha.

22:11b.2CH.022.011 Asi Jehoshabhiyati mukunda wamambo wakatora Joashi mwanakomana waAhazia, akamuba pakati pavanakomana vamambo vaiurawa, akamuisa iye nomureri wake mumba mokuvata. Naizvozvo Jehoshabhiyati mukunda wamambo Jehoramu, mukadzi waJehoyadha mupirisiti, (nokuti waiva hanzvadzi yaAhazia), akamuvanza pana Ataria, naizvozvo havana kumuuraya.

22:12b.2CH.022.012 Akagara navo akavanzwa mumba maMwari makore matanhatu; Ataria akabata ushe panyika.

23

23:1b.2CH.023.001 Zvino negore rechinomwe Jehoyadha akazvisimbisa, akaita sungano navakuru vamazana, vaiti: Azaria mwanakomana waJerohami, naIshimaeri mwanakomana waJehohanani, naAzaria mwanakomana waObhedhi, naMaaseya mwanakomana waAdhaya, naErishafati mwanakomana waZikiri.

23:2b.2CH.023.002 Vakapota nenyika yaJudha, vakakokera vaRevhi vapamaguta ose aJudha, navakuru vedzimba dzamadzibaba aIsiraeri, vakasvika Jerusaremu.

23:3b.2CH.023.003 Ungano yose ikaita sungano namambo mumba maMwari. Iye akati kwavari, Tarirai, mwanakomana wamambo achabata ushe, sezvakarehwa naJehovha pamusoro pavanakomana vaDhavhidhi.

23:4b.2CH.023.004 Munofanira kuita kudai, Imi munopinda neSabata, chetatu chenyu chavapirisiti navaRevhi, munofanira kuva varindi vemikova;

23:5b.2CH.023.005 chimwe chetatu chinofanira kuva paimba yamambo, nechimwe chetatu pasuo renheyo; navanhu vose vanofanira kuva pavazhe dzeimba yaJehovha.

23:6b.2CH.023.006 Asi ngakurege kuva nomunhu mumwe anopinda mumba maJehovha, asi vapirisiti navaRevhi vanobatamo; ivo ngavapinde nokuti vatsvene; asi vanhu vose vanofanira kurinda imba yaJehovha.

23:7b.2CH.023.007 VaRevhi vanofanira kukomba mambo, mumwe nomumwe akabata nhumbi dzokurwa nadzo muruoko rwake; Ani naani anopinda paimba, anofanira kuurawa; mugare namambo kana achipinda uye kana achibuda.

23:8b.2CH.023.008 Naizvozvo vaRevhi navaJudha vose vakaita zvose zvavakarairwa nomupirisiti Jehoyadha; mumwe nomumwe akatora vanhu vake, ivo vaifanira kupinda neSabata naivo vaifanira kubuda neSabata; nokuti mupirisiti Jehoyadha haana kutendera mapoka kuenda.

23:9b.2CH.023.009 mupirisiti Jehoyadha akapa vakuru vamazana mapfumo, nenhovo, nenhovo duku, zvaiva zvamambo Dhavhidhi, zvakanga zviri mumba maMwari.

23:10b.2CH.023.010 Akarongedza vanhu vose, mumwe nomumwe akabata nhumbi dzokurwa nadzo muruoko rwake, kubva kurutivi rworudyi rweimba kusvikira kurutivi rworuboshwe rweimba, napaaritari neimba, vakakomba mambo.

23:11b.2CH.023.011 Ipapo vakabudisa mwanakomana wamambo, vakamudzika korona, vakamupa chipupuriro, vakamuita mambo; Jehoyadha navanakomana vake vakamuzodza; vakati, Mambo ngaararame!

23:12b.2CH.023.012 Zvino mambo Ataria vakati vachinzwa mhere-mhere yavanhu vakanga vachimhanya nokurumbidza mambo, vakapinda kuvanhu mumba maJehovha;

23:13b.2CH.023.013 akatarira, akaona mambo amire pambiru yake pavaipinda napo, navakuru navane hwamanda vamire kuna mambo; vanhu vose venyika vakafara, vakaridza hwamanda; vaimbiwo vakaridza zvokuridza nazvo, vakaraira vairumbidza nokuimba kwavo. Ipapo mambo Ataria vakabvarura nguvo dzavo, vakati, Ndamukirwa, ndamukirwa!

23:14b.2CH.023.014 mupirisiti Jehoyadha akabudisa vakuru vamazana vairaira hondo, akati kwavari, Mubudisei pakati pemisara yavanhu; ani naani anomutevera iye, ngaaurawe nomunondo; nokuti mupirisiti wakati, Regai kumuuraya mumba maJehovha

23:15b.2CH.023.015 Naizvozvo vakamudziurira nzira, vakaenda nenzira yaipinda mabhiza nayo kumba kwamambo, vakamuurayirapo.

23:16b.2CH.023.016 Ipapo Jehoyadha akaita sungano, iye navanhu vose namambo, kuti vave vanhu vaJehovha.

23:17b.2CH.023.017 Vanhu vose vakaenda kumba kwaBhaari, vakaiputsa; vakaputsanya aritari dzake nemifananidzo yake, vakauraya Matani mupirisiti waBhaari pamberi pearitari.

23:18b.2CH.023.018 Jehoyadha akaraira mabasa eimba yaJehovha kuti atarirwe navapirisiti vaRevhi, vakanga varongedzwa naDhavhidhi mumba maJehovha, kuti vapisire Jehovha zvipiriso zvinopiswa, sezvakanyorwa pamurayiro waMozisi, nomufaro nokuimba, sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi.

23:19b.2CH.023.019 Akagadzawo vatariri pamusuo eimba yaJehovha, kuti parege kupinda munhu wakasvibiswa nechinhu chipi nechipi.

23:20b.2CH.023.020 Akaenda ana vakuru vamazana, navaikudzwa, navabati vavanhu, navanhu vose venyika, vakaburusa mambo paimba yaJehovha, vakapinda mumba mamambo napasuo rokumusoro, vakagadza mambo pachigaro choushe.

23:21b.2CH.023.021 Naizvozvo vanhu vose venyika vakafara, guta rikanyarara; asi Ataria vakanga vamuuraya nomunondo.

24

24:1b.2CH.024.001 Joashi akanga asvika makore manomwe pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore makumi mana; zita ramai vake rakanga riri Zibhia weBheerishebha.

24:2b.2CH.024.002 Joashi akaita zvakanaka pamberi paJehovha mazuva ose omupirisiti Jehoyadha.

24:3b.2CH.024.003 Jehoyadha akamutsvakira vakadzi vaviri; akabereka vanakomana navanasikana .

24:4b.2CH.024.004 Zvino shure kwaizvozvi Joashi akarangarira kuvandudza imba yaJehovha.

24:5b.2CH.024.005 Akakokera vapirisiti navaRevhi, akati kwavari, Budirai kumaguta aJudha, muunganidze kuvalsiraeri vose mari yokugadzirisa nayo imba yaMwari wenyu gore rimwe nerimwe; uye mubve machimbidzikira chinhu ichi! Asi vaRevhi havana kuchimbidzika.

24:6b.2CH.024.006 Zvino mambo akadana mukuru Jehoyadha, akati kwaari, Makaregereiko kuraira vaRevhi kundounganidza mutero waMozisi muranda waJehovha paJudha napaJerusaremu napaungano yaIsiraeri, zviiswe patende rechipupuriro?

24:7b.2CH.024.007 Nokuti vanakomana vaAtaria, mukadzi uya wakaipa, vakanga vaputsa imba yaMwari; nezvinhu zvose zveimba yaJehovha, zvakanga zvakatsaurirwa Mwari, vakazvipa vaBhaari.

24:8b.2CH.024.008 Naizvozvo mambo akaraira, vakaveza bhokisi, vakariisa kunze kwesuo reimba yaJehovha.

24:9b.2CH.024.009 Zvino vakatuma shoko pakati paJudha neJerusaremu, kuti vanhu vavigire Jehovha mutero wakarairwa vaIsiraeri murenje naMozisi muranda waMwari.

24:10b.2CH.024.010 Machinda ose navanhu vose vakafara, vakauya nazvo, vakazvikanda mubhokisi, kusvikira vapedza.

24:11b.2CH.024.011 Zvino nguva dzose kana bhokisi richiiswa paimba yamambo namaoko avaRevhi, kana vakaona kuti mari zhinji yavamo, munyori wamambo nomutariri womupirisiti mukuru vakauya vakadurura zviri mubhokisi, vakaritora ndokuridzoserazve panzvimbo yaro. Vakaita kudaro zuva rimwe nerimwe, vakaunganidza mari zhinji.

24:12b.2CH.024.012 Zvino mambo naJehoyadha vakaipa vaibata mabasa paimba yaJehovha; vakaripira vavezi vamabwe namatanda, kuti vavandudze imba yaJehovha, navapfuri vamatare nendarira, kuti vagadzire imba yaJehovha.

24:13b.2CH.024.013 Naizvozvo vabati vakabata, basa rikapedzwa navo; vakagadzira imba yaMwari sezvayakanga yakaita kare, vakaisimbisa.

24:14b.2CH.024.014 Zvino vakati vapedza, vakauya nemari yakasara kuna mambo naJehoyadha, vakaita nayo midziyo yeimba yaJehovha, iri midziyo yokubata nayo, nokubayira nayo, nezvirongo nemidziyo yendarama nesirivha. Vaibayira zvipiriso zvinopiswa mumba maJehovha mazuva ose aJehoyadha.

24:15b.2CH.024.015 Asi Jehoyadha akazokwegura, akava namazuva mazhinji ndokufa; akanga ana makore ane zana namakumi matatu pakufa kwake.

24:16b.2CH.024.016 Vakamuviga paguta raDhavhidhi pakati pamadzimambo; nokuti akanga aitira Mwari neimba yake zvakanaka pakati paIsiraeri.

24:17b.2CH.024.017 Zvino Jehoyadha akati afa, machinda aJudha akasvika, akanamata mambo. Ipapo mambo akavateerera.

24:18b.2CH.024.018 Vakasiya imba yaJehovha Mwari wamadzibaba avo, vakashumira matanda okunamata nawo nezvifananidzo; Mwari akatsamwira Judha neJerusaremu pamusoro pemhaka iyi.

24:19b.2CH.024.019 Kunyange zvakadaro akavatumira vaporofita kuzovadzoserazve kuna Jehovha; ivo vakavapupurira, asi vakaramba kunzwa.

24:20b.2CH.024.020 Ipapo Mweya waMwari wakauya pamusoro paZekariya, mwanakomana womupirisiti Jehoyadha, akamira pakakwirira pamberi pavanhu, akati kwavari, Zvanzi naMwari, Munodarikireiko mirairo yaJehovha, muchiramba kufara? Zvamasiya Jehovha, naiye wakakusiyayiwo.,

24:21b.2CH.024.021 Ipapo vakarangana, vakamutaka namabwe paruvazhe rweimba yaJehovha, varairwa namambo.

24:22b.2CH.024.022 Nokudaro mambo Joashi haana kurangarira zvakanaka zvaakanga aitirwa naJehoyadha baba vake, asi akauraya mwanakomana wake. Zvino wakati achifa, akati, Jehovha ngaatarire chinhu ichi, achitsive.

24:23b.2CH.024.023 Zvino gore rakati ropera, hondo yavaSiria ikasvika kuzorwa naye; vakasvika paJudha napaJerusaremu vakaparadza machinda ose avanhu pakati pavanhu, vakatuma zvose zvavakapamba kuna mambo weDhamasiko.

24:24b.2CH.024.024 Nokuti hondo yavaSiria yakauya neboka duku ravanhu; Jehovha akaisa pfumo guru-guru mumaoko avo, nokuti vakanga vasiya Jehovha Mwari wamadzibaba avo. Nokudaro vakaitira Joashi zvakanga zvatongwa naMwari.

24:25b.2CH.024.025 Zvino vakati vabva kwaari (nokuti vakamusiya achirwara kwazvo), varanda vake vakarangana pamusoro pake nemhaka yeropa ravanakomana vomupirisiti Jehoyadha, vakamuurayira panhovo yake, akafa; vakamuviga muguta raDhavhidhi, asi havana kumuviga kumarinda amadzimambo.

24:26b.2CH.024.026 Vakarangana pamusoro pake ndivava: Zabhadhi mwanakomana waShimeati, mukadzi muAmoni, naJehozabhadhi mwanakomana waShimiriti mukadzi muMoabhu.

24:27b.2CH.024.027 Zvino kana zviri zvavanakomana vake, namashoko makuru avaporofita akarehwa pamusoro pake, nokumutswa kweimba yaMwari, tarirai zvakanyorwa padudziro yebhuku yamadzimambo. Amazia mwanakomana wake akamutevera paushe.

25

25:1b.2CH.025.001 Amazia akanga ana makore makumi maviri namashanu pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namapfumbamwe, zita ramai vake rakanga riri Jehoadhani weJerusaremu

25:2b.2CH.025.002 Iye akaita zvakarurama pamberi paJehovha, asi haana kuita nomoyo wose.

25:3b.2CH.025.003 Zvino akati asimba paushe hwake, akauraya varanda vake vakauraya mambo baba vake.

25:4b.2CH.025.004 Asi haana kuuraya vana vavo, asi akaita sezvakanyorwa pamurayiro pabhuku yaMozisi, sezvakarairwa naJehovha, achiti, Madzibaba haafaniri kufira vana vavo, navana havafaniri kufira madzibaba avo; asi munhu mumwe nomumwe anofanira kufira zvivi zvake.

25:5b.2CH.025.005 Amazia akaunganidzawo vaJudha, akagadza pamusoro pavo vatariri vezviuru navatariri vamazana nedzimba dzamadzibaba avo, ivo vaJudha vose navaBhenjamini; akavaverenga, vose vamakore ana makumi maviri navakapfuura, akavawana vari varume vane zviuru zvina mazana matatu vakatsaurwa, vaigona kurwa, vaigona kurwa nepfumo nenhovo.

25:6b.2CH.025.006 Akaripirawo varume vane simba noumahare vane zviuru zvine zana vavaIsiraeri, akavapa matarenta ane zana esirivha.

25:7b.2CH.025.007 Asi mumwe munhu waMwari akauya kwaari, akati, Haiwa, mambo, hondo yavaIsiraeri ngairege kuenda nemi, nokuti Jehovha haapo panaIsiraeri, pavana vaEfuraimu vose.

25:8b.2CH.025.008 Asi endai imi moga, shingai murwe nesimba; Mwari angakukundisai navavengi here? Nokuti Mwari ane simba rokubatsira nerokukundisa.

25:9b.2CH.025.009 Ipapo Amazia akati kumunhu waMwari, Zvino tichaita seiko pamusoro pamatarenta ane zana andakapa pfumo ravaIsiraeri? Munhu waMwari akapindura, akati, Jehovha anogona kukupai zvinopfuura izvozvo kwazvo.

25:10b.2CH.025.010 Ipapo Amazia akavaraura, iro pfumo rakanga rauya kwaari richibva kwaEfuremu, kuti vadzokerezve kumusha; nemhaka iyo vakatsamwira Judha kwazvo, vakadzokera kumusha vatsamwa kwazvo.

25:11b.2CH.025.011 Zvino Amazia akatsunga moyo, akatungamirira vanhu vake, akaenda kuMupata woMunyu, akauraya vana vaSeiri vane zviuru zvine gumi.

25:12b.2CH.025.012 Vana vaJudha vakatapa vane zviuru zvine gumi vari vapenyu, vakaenda navo pamusoro pedombo, vakavakandira pasi padombo, vakavhunikanya vose.

25:13b.2CH.025.013 Asi varume vehondo vakanga vadzoswa naAmazia, kuti varege kundorwa naye, vakandowira maguta aJudha, kubva paSamaria kusvikira paBhetihoroni, vakauraya vanhu vane zviuru zvitatu kwavari, vakapambara zvizhinji.

25:14b.2CH.025.014 Zvino Amazia akati achidzoka pakuuraya vaEdhomu, akauya navamwari vavana vaSeiri, akavaita vamwari vake, akavafugamira, nokuvapisira zvinonhuwira.

25:15b.2CH.025.015 Saka Jehovha akatsamwira Amazia, akatuma muporofita kwaari; iye akati kwaari, Wakabvunzireiko vamwari vavanhu vakakoniwa kurwira vanhu vavo pamaoko ako?

25:16b.2CH.025.016 Zvino wakati achataura naye, mambo akati kwaari, Takakuita gurukota ramambo here? Nyarara, uchaurayirweiko? Ipapo muporofita akanyarara, asi akati, Ndinoziva kuti Mwari anofunga kukuparadza, nokuti wakaita izvozvi, ukasateerera zvandakakuraira.

25:17b.2CH.025.017 Ipapo Amazia mambo waJudha akatsvaka zano, akatuma kuna Joashi mwanakomana waJehoahazi, mwanakomana waJehu, mambo waIsiraeri, akati, Uya tirwe.

25:18b.2CH.025.018 Joashi mambo waIsiraeri akatuma shoko kuna Amazia mambo waJudha, akati, Rukato rwakanga ruri paRebhanoni rwakatuma shoko kumusidhari wakanga uri paRebhanoni, rukati, Ipa mwanakomana wangu mukunda wako ave mukadzi wake, zvino imwe mhuka yakanga iri paRebhanoni ikapfuurapo, ikatsika-tsika rukato.

25:19b.2CH.025.019 Iwe unoti, Tarira wakunda Edhomu; zvino moyo wako wava namanyawi, wozvikudza; gara hako zvino kumusha kwako; nokuti uchatsvakireiko njodzi, uwiremo, iwe naJudha pamwechete newe?

25:20b.2CH.025.020 Asi Amazia akaramba kunzwa; nokuti zvakanga zvichibva kuna Mwari, kuti avaise mumaoko avavengi vavo; nokuti vakanga vatevera vamwari vaEdhomu.

25:21b.2CH.025.021 Naizvozvo Joashi mambo waIsiraeri akaenda; iye naAmazia mambo waJudha vakarwa paBhetishemeshi riri paJudha.

25:22b.2CH.025.022 Judha vakakundwa naIsiraeri, mumwe nomumwe akatizira kutende rake.

25:23b.2CH.025.023 Joashi mambo walsiraeri akasunga Amazia mambo waJudha, mwanakomana waJoashi, mwanakomana waJehoahazi, paBhetishemeshi, akaenda naye Jerusaremu, akaputsa rusvingo rweJerusaremu, kubva pasuo raEfuremu kusvikira pasuo rapakona, makubhiti ana mazana mana.

25:24b.2CH.025.024 Akatora ndarama yose nesirivha, nemidziyo yose yakawanikwa mumba maMwari kuna Obhedhi-Edhomu, nefuma yomumba mamambo, navanhu kuzova rubatso, akadzokera Samaria.

25:25b.2CH.025.025 Zvino Amazia mwanakomana waJoashi mambo waJudha wakagara ari mupenyu makore ane gumi namashanu shure kwokufa kwaJoashi mwanakomana waJehoahazi mambo waIsiraeri.

25:26b.2CH.025.026 Zvino mamwe mabasa aAmazia, okutanga nookupedzisira, tarirai, haana kunyorwa here mubhuku yamadzimambo aJudha naIsiraeri?

25:27b.2CH.025.027 Zvino kubva panguva yakarega Amazia kutevera Jehovha, vakamurangana, vakamumukira paJerusaremu; iye ndokutizira Rakishi; asi vakatuma vanhu Rakishi vachimutevera, vakamuurayirapo.

25:28b.2CH.025.028 Vakauya naye pamabhiza, vakamuviga kumadzibaba ake muguta raJudha.

26

26:1b.2CH.026.001 Zvino vanhu vose vaJudha vakatora Uziya, akanga anamakore gumi namatanhatu, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake Amazia.

26:2b.2CH.026.002 lye akavaka Eroti, akaridzosera kuna Judha, mambo avata namadzibaba ake.

26:3b.2CH.026.003 Uziya akanga anamakore gumi namatanhatu pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe paJerusaremu makore makumi mashanu namaviri; zita ramai vake rakanga riri Jekiria weJerusaremu.

26:4b.2CH.026.004 Iye akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvose sezvakaita baba vake Amazia.

26:5b.2CH.026.005 Akashingaira kutsvaka Mwari namazuva aZekariya, akanga ane njere pakuziva zvaMwari; zvino pamazuva aakatsvaka Jehovha, Mwari akamukundisa.

26:6b.2CH.026.006 Akandorwa navaFirisitia, akaputsa rusvingo rweGati, norusvingo rweJabhine, norusvingo rweAshidhodhi; akavaka maguta panyika yeAshidhodhi napakati pavaFirisitia.

26:7b.2CH.026.007 Mwari akamubatsira pakurwa navaFirisitia, navaArabhia, vakanga vagere Guribhaari, nevaMeunimi.

26:8b.2CH.026.008 VaAmoni vakavigira Uziya zvipo; mbiri yake ikapararira kusvikira pavanopinda napo paIjipiti; nokuti akasimba kwazvo.

26:9b.2CH.026.009 Uziya akavakawo shongwe paJerusaremu pasuo rekona, napasuo romupata, napakudzoka kworusvingo, akadzisimbisa.

26:10b.2CH.026.010 Akavakawo shongwe murenje, akacherawo matsime mazhinji, nokuti akanga ane zvipfuwo zvizhinji; napamapaniwo, napanyika yokumakomo; uye akanga ana varimi navasimi vamazambiringa pamakomo napaminda yakaworera, nokuti aida minda.

26:11b.2CH.026.011 Uyewo Uziya akanga ane hondo yavarwi, vaindorwa vachiita mapoka, sezvavakaverengwa naJeieri munyori, naMaaseya murairi, vakatungamirirwa naHanania mumwe wavakuru vamambo.

26:12b.2CH.026.012 Vose vakaverengwa kuvakuru vedzimba dzamadzibaba, ivo varume vaiva nesimba noumhare, vakasvika zviuru zviviri namazana matanhatu.

26:13b.2CH.026.013 Ivo vairaira hondo yakanga yakadzidziswa, vanhu vane zviuru zvina mazana matatu nezvinomwe namazana mashanu, vaigona kurwa nesimba guru, kuzobatsira mambo kurwa navavengi vavo.

26:14b.2CH.026.014 Uziya akavagadzirira, ivo vose vehondo, nhovo, namapfumo, nengowani, nenguvo dzamatare, nouta, namabwe okupfura nawo.

26:15b.2CH.026.015 Akaitawo paJerusaremu michini, yakaitwa navanhu vakangwara, ikaiswa pashongwe napamakona amasvingo, kuzoposhera nayo miseve namabwe makuru. Mbiri yake ikapararira; nokuti akabatsirwa zvinoshamisa, kusvikira asimba.

26:16b.2CH.026.016 Asi akati asimba, moyo wake ukazvikudza, akazoita zvakashata, akatadzira Jehovha Mwari wake; nokuti akapinda patemberi yaJehovha kundopisa zvinonhuwira paaritari yezvinonhuwira.

26:17b.2CH.026.017 Ipapo mupirisiti Azaria akamutevera akapinda ana vapirisiti vaJehovha vana makumi masere, vaiva varume voumhare.

26:18b.2CH.026.018 Ivo vakadzivisa mambo Uziya, vakati kwaari, Nhandi Uziya, hazvifaniri kuti imi mupisire Jehovha zvinonhuwira, asi vapirisiti vanakomana vaAroni, vakatsaurwa kupisa zvinonhuwira; budai panzvimbo tsvene, nokuti madarika; hamungakudzwi naJehovha Mwari nokuda kwechinhu ichi.

26:19b.2CH.026.019 Ipapo Uziya akatsamwa kwazvo; zvino iye akanga akabata hadyana yezvinonhuwira kuti apise zvinonhuwira; zvino akati achakatsamwira vapirisiti, maperembudzi akabuda pahuma yake pamberi pavapirisiti muimba yaJehovha, kurutivi rwearitari yezvinonhuwira.

26:20b.2CH.026.020 Zvino Azaria mupirisiti mukuru navapirisiti vose vakatarira kwaari, vakaona kuti wava namaperembudzi pahuma yake, vakachimbidzika kumubudisapo; kunyange naiye akachimbidzika kubuda, nokuti Jehovha akanga amurova.

26:21b.2CH.026.021 Zvino mambo Uziya akava namaperembudzi kusvikira pazuva rokufa kwake, akagara ari oga muimba, anamaperembudzi; nokuti akadziviswa kupinda paimba yaJehovha; Jotamu mwanakomana wake akava mutariri weimba yamambo, akatongawo mhosva dzavanhu venyika.

26:22b.2CH.026.022 Zvino mamwe mabasa aUziya, okutanga nookupedzisira, akanyorwa nomuporofita Isaya mwanakomana waAmozi.

26:23b.2CH.026.023 Naizvozvo Uziya akavata namadzibaba ake, vakamuviga kumadzibaba ake mumunda wamarinda aiva amadzimambo; nokuti vakati, Una maperembudzi; Jotamu mwanakomana wake akamutevera paushe.

27

27:1b.2CH.027.001 Jotamu akatanga kubata ushe asvika makore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore ane gumi namatanhatu; zita ramai vake rakanga riri Jerusha mukunda waZadhoki.

27:2b.2CH.027.002 Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, akaita zvose zvakaitwa nababa vake Uziya; asi haana kupinda mutemberi yaJehovha. Vanhu vakaramba vachiita zvakashata.

27:3b.2CH.027.003 Akavaka suo rokumusoro reimba yaJehovha, akavakawo zvizhinji pamusoro porusvingo rweOferi.

27:4b.2CH.027.004 Wakavakawo maguta panyika yamakomo yaJudha, uye akavaka nhare neshongwe mumatondo.

27:5b.2CH.027.005 Akarwawo namambo wavana vaAmoni, akavakunda. Negore iro vana vaAmoni vakamupa matarenta esirivha ane zana, nezviyero zvezviyo zvine zviuru zvine gumi, nezviyero zvebhari zvine zviuru zvine gumi. Vana vaAmoni vakamupa zvizhinji zvakadai pagore rechipiri, negore rechitatuwo.

27:6b.2CH.027.006 Naizvozvo Jotamu akasimba, nokuti akagadzira nzira dzake pamberi paJehovha Mwari wake.

27:7b.2CH.027.007 Zvino mamwe mabasa aJotamu, nokurwa kwake kwose netsika dzake, tarirai zvakanyorwa mubhuku yamadzimambo aIsiraeri naaJudha.

27:8b.2CH.027.008 Akatanga kubata ushe asvika makore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore gumi namatanhatu.

27:9b.2CH.027.009 Jotamu akavata namadzibaba ake; vakamuviga muguta raDhavhidhi; Ahazi mwanakomana wake akamutevera paushe.

28

28:1b.2CH.028.001 Ahazi akanga ana makore makumi maviri pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore gumi namatanhatu; asi haana kuita zvakarurama pamberi paJehovha, sababa vake Dhavhidhi;

28:2b.2CH.028.002 asi wakafamba nenzira dzamadzibaba aIsiraeri, akaitira vaBhaariwo zvifananidzo zvendarira yakanyauswa.

28:3b.2CH.028.003 Uye akapisawo zvinonhuwira pamupata womwanakomana waHinomi, akapisa vana vake mumoto, sezvainyangadza zvavahedheni, vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri.

28:4b.2CH.028.004 Akabayira nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira, napazvikomo, napasi pemiti yose mitema.

28:5b.2CH.028.005 Saka Jehovha Mwari wake akamuisa muruoko rwamambo weSiria; vakamukunda, vakaenda navanhu vake vazhinji vakatapwa, vakandovaisa Dhamasiko. Naiye amene akaiswa muruoko rwamambo waIsiraeri, akamukunda, akauraya vazhinji-zhinji.

28:6b.2CH.028.006 Nokuti Peka mwanakomana waRemaria akauraya paJudha vanhu vane zviuru zvine zana namakumi maviri pazuva rimwe; vose vari varume voumhare; nokuti vakanga vasiya Jehovha Mwari wamadzibaba avo.

28:7b.2CH.028.007 Zikiri murume waEfuremu, akanga ane simba, akauraya Maaseya mwanakomana wamambo, naAzirikami mutariri weimba, naErikana mukuru kutevera mambo.

28:8b.2CH.028.008 Vana valsiraeri vakatapa pakati pehama dzavo vanhu vane zviuru zvina mazana maviri, vakadzi, vanakomana, navanasikana, vakapambawo zvizhinji kwavari; vakandoisa Samaria izvo zvakapambwa.

28:9b.2CH.028.009 Asi kwakanga kuno muporofita waJehovha, wainzi Obhedhi; iye akaenda kundosangana nehondo yakanga youya Samaria, akati kwavari, Jehovha Mwari wamadzibaba enyu akanga atsamwira vaJudha, saka akavaisa mumaoko enyu, makavauraya nehasha dzakasvikira kudenga.

28:10b.2CH.028.010 Zvino munoti muchamanikidza vana vaJudha naveJerusaremu, vave vatapwa venyu varanda navarandakadzi; ko imi hamune mhosvawo mumene pamberi paJehovha Mwari wenyu here?

28:11b.2CH.028.011 Naizvozvo zvino chindinzwai, mudzose vatapwa vamakatapa pakati pehama dzenyu; nokuti Jehovha akutsamwirai kwazvo.

28:12b.2CH.028.012 Ipapo vamwe vakuru vavana vaEfuremu, vaiti: Azaria mwanakomana waJohanani, naBherekia mwanakomana waMeshiremoti, naJehizikia mwanakomana waSharumi, naAmasa mwanakomana waHadhirai, vakadzivisa avo vabva pakurwa,

28:13b.2CH.028.013 vakati kwavari, Hamungapindi pano navatapwa, nokuti munovavarira kuita chinhu chichatiparisa mhaka pana Jehovha, mugowedzera pazvivi zvedu nemhosva yedu; nokuti mhosva yedu ihuru, vaIsiraeri vatsamwirwa kwazvo naJehovha.

28:14b.2CH.028.014 Ipapo varwi vakasiya vatapwa nezvakapambwa kumachinda neungano yose.

28:15b.2CH.028.015 Zvino ava varume varehwa mazita avo, vakasimuka, vakatora vatapwa, vakafukidza vose vakanga vakashama pakati pavo nezvakapambwa, vakavapfekedza nokuvaisa shangu, ndokuvapa zvokudya nezvokunwa, vakavazodza, vakatasvisa vose vakanga vasine simba pambongoro, vakavaisa Jeriko, guta remichindwe, kuhama dzavo; ipapo vakadzokera Samaria.

28:16b.2CH.028.016 Panguva iyo mambo Ahazi akatuma shoko kumadzibaba aAsiria, kuti vamubatsire.

28:17b.2CH.028.017 Nokuti vaEdhomu vakanga vasvikazve, vakakunda vaJudha vakatapa vatapwa.

28:18b.2CH.028.018 NavaFirisitiawo vakanga vavamba maguta amapani, naaiva kurutivi rwezasi rwaJudha, vakakunda Bhetishemeshi, neAijaroni, neGedheroti, neSoko, nemisha yawo, neTimina, nemisha yaro, neGimizo nemisha yaro; vakagarapo.

28:19b.2CH.028.019 Nokuti Jehovha akaninipisa vaJudha nokuda kwaAhazi mambo waIsiraeri; nokuti akanga aita zvakaipa paJudha, akatadzira Jehovha kwazvo.

28:20b.2CH.028.020 Zvino Tirigatipirineseri mambo weAsiria akauya kuzorwa naye, akamumanikidza, asi haana kumukunda.

28:21b.2CH.028.021 Nokuti Ahazi akatora mugove wefuma paimba yaJehovha, napaimba yamambo, neyamachinda, akazvipa mambo weAsiria; asi hazvina kumubatsira.

28:22b.2CH.028.022 Asi panguva yokutambudzika kwake, akanyanya kutadzira Jehovha, iye mambo Ahazi.

28:23b.2CH.028.023 Nokuti akabayira vamwari veDhamasiko, vakanga vamukunda, akati, Vamwari vamadzimambo aSiria zvavanovabatsira, ini ndichavabayirawo, kuti vandibatsirewo. Asi ivo vakamuparadza iye navalsiraeri vose pamwechete naye.

28:24b.2CH.028.024 Zvino Ahazi akaunganidza midziyo yeimba yaMwari akaputsanya midziyo yeimba yaMwari, akapfiga mikova yeimba yaJehovha; akazviitira aritari pose-pose paJerusaremu.

28:25b.2CH.028.025 Akaitawo matunhu akakwirira paguta rimwe nerimwe raJudha kuzopisira vamwe vamwari zvinonhuwira ipapo, akatsamwisa Jehovha Mwari wamadzibaba ake.

28:26b.2CH.028.026 Zvino mamwe mabasa ake, netsika dzake dzose, dzokutanga nedzokupedzisira, tarirai zvakanyorwa mubhuku yamadzimambo aJudha naIsiraeri.

28:27b.2CH.028.027 Ahazi akavata namadzibaba ake, vakamuviga muguta, imo muJerusaremu; nokuti havana kumuisa pamarinda amadzimambo aIsiraeri; Hezekia mwanakomana wake akamutevera paushe.

29

29:1b.2CH.029.001 Hezekia wakatanga kubata ushe asvika makore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namapfumbamwe, zita ramai vake rakanga riri Abhija mukunda waZekariya.

29:2b.2CH.029.002 Akaita zvakarurama pamberi paJehovha sezvose zvakaita baba vake Dhavhidhi.

29:3b.2CH.029.003 Pagore rokutanga rokubata kwake ushe, nomwedzi wokutanga, akazarura mikova yeimba yaJehovha, akaigadzira.

29:4b.2CH.029.004 Akapinza vapirisiti navaRevhi, akavaunganidza padare pamabvazuva,

29:5b.2CH.029.005 akati kwavari, Chindinzwai, imi vaRevhi; chizvinatsai zvino, munatsewo imba yaJehovha Mwari wamadzibaba enyu; mutakurire kunze tsvina yose iri munzvimbo tsvene.

29:6b.2CH.029.006 Nokuti madzibaba edu akadarika, vakaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wedu, vakamusiya, vakarega kutarira kuugaro hwaJehovha, ndokumufuratira.

29:7b.2CH.029.007 Vakapfigawo mikova yebiravira, nokudzima mwenje; havana kupisira zvinonhuhwira, kana kubayira Mwari waIsiraeri zvipiriso zvinopiswa panzvimbo tsvene.

29:8b.2CH.029.008 Saka Jehovha akatsamwira vaJudha neJerusaremu, akavaita chityiso nechishamiso, chinoridzirwa muridzo, sezvamunoona nameso enyu.

29:9b.2CH.029.009 Nokuti tarirai, madzibaba edu akaparadzwa nomunondo; vanakomana vedu navanasikana vedu navakadzi vedu vakatapwa nokuda kwaizvozvi.

29:10b.2CH.029.010 Zvino moyo wangu unoda kuita sungano naJehovha Mwari waIsiraeri, kuti kutsamwa kwake kukuru kubviswe kwatiri.

29:11b.2CH.029.011 Vanakomana vangu, regai kuva vanhu vasine hanya zvino, nokuti Jehovha akakutsaurai kuti mumire pamberi pake, mumubatirei, nokuva vabatiri vake, nokumupisira zvinonhuwira.

29:12b.2CH.029.012 Ipapo vaRevhi vakasimuka, Mahati mwanakomana waAmasai, naJoeri mwanakomana waAzaria pakati pavanakomana vavaKohati, napakati pavanakomana vaMerari, Kishi mwanakomana waAbhidhi, naAzaria mwanakomana waJeharereri; napakati pavaGerishoni, Joa mwanakomana waZimima, naEdheni mwanakomana waJoa;

29:13b.2CH.029.013 napakati pavanakomana vaErizafani, Shimiri naJeueri; napakati pavanakomana vaAsafi, Zekariya naMatania;

29:14b.2CH.029.014 napakati pavanakomana vaHemani, Jehueri naShimei; napakati pavanakomana vaJedhutuni, Shemaya naUzieri.

29:15b.2CH.029.015 Ivo vakaunganidza hama dzavo, vakazvinatsa, vakapinda sezvavakarairwa namambo namashoko aJehovha, kuti vanatse imba yaJehovha.

29:16b.2CH.029.016 Vapirisiti vakapinda mukati meimba yaJehovha, kuti vainatse, vakabudisa marara ose avakawana mutemberi yaJehovha kuruvazhe rweimba yaJehovha. VaRevhi vakaatora, ndokuatakurira kunze kurukova Kidhironi.

29:17b.2CH.029.017 Vakatanga kunatsa nezuva rokutanga romwedzi wokutanga, vakasvika pabiravira raJehovha nezuva rorusere romwedzi; vakanatsa imba yaJehovha namazuva masere; vakapedzisa nezuva regumi namatanhatu romwedzi wokutanga.

29:18b.2CH.029.018 Ipapo vakapinda kuna mambo Hezekia mukati meimba yamambo, vakati, Tanatsa imba yose yaJehovha, nearitari yezvipiriso zvinopiswa, nenhumbi dzayo dzose, netafura yezvingwa zvokuratidza, nenhumbi dzayo dzose.

29:19b.2CH.029.019 Uye nhumbi dzose dzakarashwa namambo Ahazi pakudarika kwake nguva yaakabata ushe, tadzigadzira nokudzinatsa; tarirai, dziri pamberi pearitari yaJehovha.

29:20b.2CH.029.020 Zvino mambo Hezekia akamuka mangwanani, akaunganidza machinda eguta, akaenda kumba kwaJehovha.

29:21b.2CH.029.021 Vakauya nenzombe nomwe, namakondobwe manomwe, namakwaiana manomwe, nenhongo dzembudzi nomwe, chive chipiriso chezvivi choushe neimba tsvene navaJudha. Akaraira vapirisiti ivo vanakomana vaAroni, kuti vazvibayire paaritari yaJehovha.

29:22b.2CH.029.022 Ipapo vakauraya nzombe, vapirisiti vakachinga ropa, ndokurisasa paaritari; vakauraya makondobwe, vakasasa ropa paaritari; vakaurayawo makwayana, vakasasa ropa paaritari.

29:23b.2CH.029.023 Vakaswededzawo nhongo dzembudzi, chive chipiriso chezvivi pamberi pamambo neungano, vakaisa maoko avo pamusoro padzo;

29:24b.2CH.029.024 vapirisiti vakadziuraya, vakaita chipiriso chezvivi neropa radzo paaritari, kuti vayananisire valsiraeri vose, nokuti mambo akaraira kuti vaIsiraeri vose vapisirwe chipiriso chinopiswa nechipiriso chezvivi.

29:25b.2CH.029.025 Akaisa vaRevhi mumba maJehovha, vana makandira, nemitengerangwa, nembira, sezvavakarairwa naDhavhidhi, uye nomuoni wamambo Gadhi, uye nomuporofita Natania; nokuti akanga ari Jehovha akaraira navaporofita vake.

29:26b.2CH.029.026 VaRevhi vakamira nezvokuridza zvaDhavhidhi, navapirisiti vane hwamanda.

29:27b.2CH.029.027 Hezekia akaraira kuti vabayire chipiriso chinopiswa paaritari. Zvino chipiriso chinopiswa chakati chichitanga kupiswa, rwiyo rwaJehovha ndokutangawo, uye hwamanda pamwechete nezvokuridza zvaDhavhidhi mambo waIsiraeri.

29:28b.2CH.029.028 Ungano yose ndokunamata, vaimbi vakaimba, navaridzi vehwamanda vakaridza; izvozvi zvose zvikaramba zvichiitwa kusvikira chipiriso chinopiswa chapera.

29:29b.2CH.029.029 Zvino vakati vapedza kupisira, mambo navose vakanga varipo naye vakakotamira pasi, vakanamata.

29:30b.2CH.029.030 Mambo Hezekia namachinda vakarairawo vaRevhi kuimbira Jehovha vachimukudza namashoko aDhavhidhi nomuoni Asafi. Vakaimba nziyo dzokukudza nomufaro, vakakotamisa misoro yavo vakanamata.

29:31b.2CH.029.031 Ipapo Hezekia akapindura, akati, Zvino zvamazvitsaurira Jehovha, swederai muuye nezvibayiro nezvipiriso zvokuvonga nazvo mumba maJehovha. Ungano ndokuuya nezvibayiro nezvipiriso zvokuvonga; vose, vakanga vanomoyo unoda, vakauya nezvipiriso zvinopiswa.

29:32b.2CH.029.032 Zvipiriso zvinopiswa, zvakauyiswa neungano, zvakasvika nzombe dzina makumi manomwe namakondobwe ane zana, namakwayana ana mazana maviri pakuwanda kwazvo; izvi zvose chakanga chiri chipiriso chokupisira Jehovha.

29:33b.2CH.029.033 Zvinhu zvakatsaurirwa Jehovha zvakasvika nzombe dzina mazana matanhatu, namakwai ane zviuru zvitatu.

29:34b.2CH.029.034 Asi vapirisiti vakanga vasingaringani, vakakoniwa kuvhiya zvipiriso zvose zvinopiswa, saka vaRevhi hama dzavo, vakavabatsira, kusvikira basa rapera, uye kusvikira vapirisiti vazvinatsa; nokuti moyo yavaRevhi yakanga yakarurama pakuzvinatsa kupfuura vapirisiti.

29:35b.2CH.029.035 Zvipiriso zvinopiswa zvakanga zvakawandawo kwazvo, namafuta ezvipiriso zvokuyananisa, nezvipiriso zvaidururwa zvechipiriso chimwe nechimwe chaipiswa. Naizvozvo basa reimba yaJehovha rakagadzirwa.

29:36b.2CH.029.036 Ipapo Hezekia akafara, navanhu vose, nokuda kwezvose zvakanga zvagadzirirwa vanhu naMwari; nokuti chinhu ichi chakaitwa nokuchimbidzika.

30

30:1b.2CH.030.001 Zvino Hezekia akatuma nhume kuvaIsiraeri nokuvaJudha vose,akanyorawo mwadhi kuvaEfuremu navaManase, kuti vauye kuimba yaJehovha paJerusaremu, kuzoitira Jehovha Mwari wavaIsiraeri Pasika.

30:2b.2CH.030.002 Nokuti mambo namachinda ake, neungano yose paJerusaremu vakanga varangana kuita Pasika nomwedzi wechipiri.

30:3b.2CH.030.003 Nokuti vakanga vasingagoni kuiita nenguva iyo, nokuti vapirisiti, vakanatswa, vakanga vasingaringani, navanhuwo vakanga vasina kuungana paJerusaremu.

30:4b.2CH.030.004 Zvino chinhu ichi chakanga chakarurama pamberi pamambo neungano yose.

30:5b.2CH.030.005 Naizvozvo vakasimbisa chirevo, vakazivisa pakati palsiraeri pose, kubva paBheerishebha kusvikira paDhani, kuti vanhu vauye kuzoitira Jehovha Mwari wavaIsiraeri Pasika paJerusaremu; nokuti vakanga vasina kuiita nguva huru, sezvakanga zvakanyorwa.

30:6b.2CH.030.006 Ipapo nhume dzakamhanya dzikaenda nemwadhi dzamambo namachinda ake pakati pavaIsiraeri vose navaJudha, sezvavakanga varairwa namambo, vakati, Imi vana vaIsiraeri, dzokeraizve kuna Jehovha Mwari waAbhurahamu, naIsaka, naIsiraeri, kuti iye adzokerezve kunavakasara pakati penyu, vakapukunyuka, pamaoko amadzimambo eAsiria.

30:7b.2CH.030.007 Regai kuva samadzibaba enyu, nehama dzenyu, vakadarika mirairo yaJehovha Mwari wamadzibaba enyu, iye akazovaita chishamiso sezvamunoona.

30:8b.2CH.030.008 Regai kuva nemitsipa mikukutu, sezvakanga zvakaita madzibaba enyu; batai ruoko rwaJehovha, mupinde paimba yake tsvene, yaakanatsa nokusingaperi, mushumire Jehovha Mwari wenyu, kuti kutsamwa kwake kubviswe kwamuri.

30:9b.2CH.030.009 Nokuti kana imi mukadzokera kuna Jehovha, hama dzenyu navana venyu vachanzwirwa tsitsi navatapi vavo, vagodzokerazve kunyika ino; nokuti Jehovha Mwari wenyu ane ngoni nenyasha; haangafuratidzi chiso chake kwamuri, kana mukadzokera kwaari.

30:10b.2CH.030.010 Naizvozvo nhume dzakamhanya dzikapota pamaguta ose panyika yose yaEfuremu naManase, kusvikira paZebhuruni; asi vakavaseka, nokuvadadira.

30:11b.2CH.030.011 Asi vamwe vavaAsheri navaManase navaZebhuruni, vakazvininipisa, vakaenda Jerusaremu.

30:12b.2CH.030.012 NapaJudhawo ruoko rwaMwari rwakavapa moyo mumwe, kuti vateerere murayiro wamambo namachinda neshoko raJehovha.

30:13b.2CH.030.013 Ipapo vanhu vazhinji vakaungana paJerusaremu, kuzoita mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa nomwedzi wechipiri, ikaita ungano huru kwazvo.

30:14b.2CH.030.014 Vakasimuka, ndokubvisa aritari dzaiva paJerusaremu, vakabvisawo aritari dzose dzezvinonhuhwira, vakadzikandira murukova Kidhironi.

30:15b.2CH.030.015 Ipapo vakauraya gwayana rePasika pazuva regumi namana romwedzi wechipiri; vapirisiti navaRevhi vakanyara, vakazvinatsa, vakauya nezvipiriso zvinopiswa mumba maJehovha.

30:16b.2CH.030.016 Vakamira panzvimbo yavo sezvavakarairwa nomurayiro waMozisi, iye munhu waMwari; vapirisiti vakasasa ropa ravakatora pamaoko avaRevhi.

30:17b.2CH.030.017 Nokuti vazhinji vaivapo paungano vakanga vasina kuzvinatsa; saka vaRevhi vaiva nebasa rokuurayira vose, vakanga vasina kunatswa, makwayana ePasika yavo, kuti vavanatsire Jehovha.

30:18b.2CH.030.018 Nokuti vanhu vazhinji-zhinji vaEfuremu navaManase, navaIsakari navaZebhuruni, vakanga vasinakuzvinatsa; kunyange zvakadaro vakadya Pasika nomutowo wakapesana nowakanyorwa. Nokuti Hezekia akanga avanyengeterera, achiti, Jehovha wakanaka ngaakanganwire mumwe nomumwe,

30:19b.2CH.030.019 unoshingaira nomoyo wake kutsvaka Mwari, Jehovha, Mwari wababa vake, kunyange asina kunatswa nomutowo wokunatswa kwenzvimbo tsvene.

30:20b.2CH.030.020 Jehovha akanzwa Hezekia, akaporesa vanhu.

30:21b.2CH.030.021 Zvino vana vaIsiraeri, vaiva paJerusaremu, vakaita mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa nomufaro mukuru mazuva manomwe; vaRevhi navapirisiti vakarumbidza Jehovha zuva rimwe nerimwe, vachiridzira Jehovha nezvokuridzisa zvainzwika kure.

30:22b.2CH.030.022 Hezekia akataura nounyoro navaRevhi vose vaigona kubatira Jehovha zvakanaka. Naizvozvo vakadya pamutambo mazuva manomwe, vakabayira zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, vachizvireurura kuna Jehovha Mwari wamadzibaba avo.

30:23b.2CH.030.023 Zvino ungano yose yakarangana kuita mamwe mazuva manomwezve; vakaita mazuva manomwezve nomufaro.

30:24b.2CH.030.024 Nokuti Hezekia mambo waJudha akapa ungano nzombe dzine chiuru chimwe, namakwai ane zviuru zvinomwe, kuti vabayire nazvo; namachindawo akapa ungano nzombe dzine chiuru chimwe, namakwai ane zviuru zvine gumi; vapirisiti vazhinji-zhinji vakazvinatsa.

30:25b.2CH.030.025 Ipapo ungano yose yaJudha, pamwechete navapirisiti navaRevhi, neungano yose yakabva pakati paIsiraeri, navatorwa vakabva panyika yaIsiraeri, navakanga vagere paJudha, vakafara vose.

30:26b.2CH.030.026 Naizvozvo mufaro mukuru ukavapo paJerusaremu; nokuti kubva panguva yaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo walsiraeri, hakuna kuita zvakadaro paJerusaremu.

30:27b.2CH.030.027 Ipapo vapirisiti vaRevhi vakasimuka, vakaropafadza, vanhu; manzwi avo akanzwika, nokunyengetera kwavo kukasvika kuugaro hwake utsvene iko kudenga.

31

31:1b.2CH.031.001 Zvino izvo zvose zvakati zvapera, vaIsiraeri vose vakanga varipo, vakabuda kumaguta aJudha, vakaputsa shongwe, nokutema matanda okunamata nawo, vakaputsa matunhu akakwirira nearitari kwaJudha nokwaBhenjamini kwose, nokwaEfuremu nokwaManase, kusvikira vazviparadza zvose. Ipapo vana vaIsiraeri vose vakadzokera kumaguta avo, mumwe nomumwe kuzvinhu zvake.

31:2b.2CH.031.002 Hezekia akaraira mapoka avapirisiti navaRevhi pamapoka avo, munhu mumwe nomumwe pabasa rake vapirisiti navaRevhi vose, vakabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa, kushumira nokuvonga, nokurumbidza mumasuo emisasa yaJehovha.

31:3b.2CH.031.003 Akarairawo mugove wefuma yamambo wezvipiriso zvinopiswa, zvaiti: Wezvipiriso zvinopiswa mangwanani namadekwana, nezvipiriso zvinopiswa pamaSabata, napakugara kwomwedzi, napamitambo yakatarwa, sezvazvakanyorwa pamurayiro waJehovha.

31:4b.2CH.031.004 Akarairawo vanhu veJerusaremu kupa vapirisiti navaRevhi mugove wavo, kuti ivo vasimbe pamurayiro waJehovha.

31:5b.2CH.031.005 Zvino vakati vachangonzwa murayiro uyu, vana vaIsiraeri vakapa zvakawanda zvezvitsva, zvezviyo newaini, namafuta, nouchi, nemichero yose yeminda; uye chegumi chezvinhu zvose vakauya nazvo zviri zvizhinji.

31:6b.2CH.031.006 Navana vaIsiraeri navaJudha vakanga vagere pamaguta aJudha vakauyawo nezvegumi zvenzombe namakwai, nezvegumi zvezvinhu zvakatsaurwa zvakanga zvatsaurirwa Jehovha Mwari wavo, vakazviita mirwi.

31:7b.2CH.031.007 Vakatanga kuita mirwi pamwedzi wechitatu, vakapedza nomwedzi wechinomwe.

31:8b.2CH.031.008 Zvino Hezekia namachinda, vakati vasvika nokuona mirwi, vakavonga Jehovha navanhu vake vaIsiraeri.

31:9b.2CH.031.009 Ipapo Hezekia akabvunza vapirisiti navaRevhi pamusoro pemirwi.

31:10b.2CH.031.010 Azaria mupirisiti mukuru weimba yaZadhoki akamupindura, akati, Kubva nguva yavakatanga kuisa zvipo muimba yaJehovha, takadya, tikaguta, tikasarirwa nezvizhinji, nokuti Jehovha akaropafadza vanhu vake; zvasara ndizvo zvizhinji izvi.

31:11b.2CH.031.011 Ipapo Hezekia akaraira kuti vagadzire makamuri mumba maJehovha; vakaagadzira.

31:12b.2CH.031.012 Vakapinza zvipo, nomutowo wakatendeka, nezvegumi, nezvinhu zvakatsaurirwa Jehovha; Konania muRevhi akaitwa mutariri wazvo, uye Shimei munununa wake akanga ari wechipiri.

31:13b.2CH.031.013 NaJehieri, naAzazia, naNahati, naAsaheri, naJerimoti, naJozabhadhi, naErieri, nalsimakia, naMahati, naBhenaya, vaiva vatariri pasi paKonania naShimei munununa wake, vakanga vagadzwa namambo Hezekia naAzaria mutariri weimba yaMwari.

31:14b.2CH.031.014 Kore mwanakomana waImina muRevhi, mutariri wesuo rokumabvazuva, akanga ari mutariri wenhendo dzaingopiwa Mwari nokuzvidira, kuti agovere zvipo zvaJehovha nezvinhu zvitsvene kwazvo.

31:15b.2CH.031.015 Pasi pake pakanga pana Edheni, naMiniamini, naJeshua, naShemaya, naAmaria, naShekania, mumaguta avapirisiti, pamabasa avo akatarwa, kuti vape hama dzavo namapoka, vakuru navaduku vose;

31:16b.2CH.031.016 vasingaverengi varume vakanga vakanyorwa mazita avo, kubva pamakore matatu navanopfuura, Ani naani aipinda mumba maJehovha, kuzoita mabasa akadikanwa zuva rimwe nerimwe, pamabasa avo avakanga vapiwa namapoka avo;

31:17b.2CH.031.017 navakanga vaverengwa pamazita avapirisiti nedzimba dzamadzibaba avo, navaRevhi vamakore makumi maviri navakapfuura, pamabasa avo namapoka avo;

31:18b.2CH.031.018 navakaverengwa namazita epwere dzavo dzose, navakadzi vavo, navanakomana vavo, navanasikana vavo, paungano yose; nokuti vakanga vazvinatsa noutsvene pamabasa avo akatarwa;

31:19b.2CH.031.019 navanakomana vaAroni vapirisiti vakanga vari kuminda yoruwa rwamaguta avo, paguta rimwe nerimwe kwaiva navarume vakanga vakanyorwa mazita avo, kuti vape varume vose pakati pavapirisiti migove yavo, navose vakaverengwa mazita avo pakati pavaRevhi.

31:20b.2CH.031.020 Ndizvo zvakaita Hezekia kwaJudha kwose; akaita zvakanaka nezvakarurama nezvakatendeka pamberi paJehovha Mwari wake.

31:21b.2CH.031.021 Pabasa rimwe nerimwe raakatanga pakushumira paimba yaMwari, napamurayiro, napamirau, napakutsvaka Mwari wake, wakazviita nomoyo wake wose, akakunda.

32

32:1b.2CH.032.001 Shure kwezvinhu izvi, nokutendeka uku, Shenakeribhi mambo weAsiria akasvika akapinda kwaJudha, akadzika matende kuzorwa namaguta akakombwa namasvingo, achifunga kuzvikundira iwo.

32:2b.2CH.032.002 Zvino Hezekia akati achiona kuti Shenakeribhi asvika, uye kuti akanga achivavarira kurwa neJerusaremu,

32:3b.2CH.032.003 akarangana namachinda ake navarume vake vane simba, kuti vadzivire mvura yamatsime akanga ari kunze kweguta; ivo vakamubatsira.

32:4b.2CH.032.004 Naizvozvo vanhu vazhinji vakaungana, vakadzivira matsime ose norukova rwakanga ruchiyerera napakati penyika iyo, vachiti, Madzimambo eAsiria achasvikireiko, akawana mvura zhinji?

32:5b.2CH.032.005 lye akatsunga moyo, akavaka rusvingo rwose rwanga rwakoromoka, akaruvaka kusvikira pashongwe, norumwe rusvingo rwokunzewo, akasimbisa Miro paguta raDhavhidhi, akapfura nhumbi dzokurwa nadzo nenhovo zhinji.

32:6b.2CH.032.006 Akagadzawo vakuru vehondo pamusoro pavanhu, akavaunganidza kwaari padare pasuo reguta, akataura nounyoro navo, achiti,

32:7b.2CH.032.007 Ivai nesimba, mutsunge moyo, regai kutya kana kuvhunduka pamberi pamambo weAsiria, kana pamberi pavazhinji vose vaanavo; nokuti anesu mukuru kune waanaye iye;

32:8b.2CH.032.008 iye unoruoko rwenyama, asi anesu ndiJehovha Mwari wedu, kuzotibatsira nokurwa navavengi vedu. Vanhu vakavimba namashoko aHezekia mambo waJudha.

32:9b.2CH.032.009 Shure kwaizvozvi Shenakeribhi mambo weAsiria akatuma varanda vake Jerusaremu, (zvino iye akanga ari pamberi peRakishi, ane hondo yake yose) kunavose vakanga vari Jerusaremu, akati,

32:10b.2CH.032.010 Zvanzi naShenakeribhi mambo weAsiria, Chinyiko chamunovimba nacho, zvamunorambira paJerusaremu makakombwa?

32:11b.2CH.032.011 Ko Hezekia haazinokukurudzirai, kuti mugozofa nenzara nenyota here, zvaanoti, Jehovha Mwari wedu achatirwira paruoko rwamambo weAsiria?

32:12b.2CH.032.012 Haazi iye Hezekia akabvisa matunhu ake akakwirira nearitari dzake, akaraira Judha neJerusaremu, achiti, Munofanira kunamata pamberi pearitari imwe, uye munofanira kupisa zvinonhuwira ipapo here?

32:13b.2CH.032.013 Hamuzivi here zvatakaitira vanhu vose venyika ino, ini namadzibaba angu? Ko vamwari vendudzi dzenyika idzo vakatongagona kurwira nyika yavo paruoko rwangu here?

32:14b.2CH.032.014 Ndianiko pakati pavamwari vose vendudzi idzo dzakaparadzwa chose namadzibaba angu, wakatongogona kurwira vanhu vake paruoko rwangu here? Zvino Mwari wenyu achagona kukurwirai paruoko rwangu here?

32:15b.2CH.032.015 Zvino naizvozvo Hezekia ngaarege kukunyengerai, kana kukukurudzirai nomutowo uyu; regai henyu kumutenda, nokuti hakuna mwari worudzi rupi norupi, kana ushe, wakagona kurwira vanhu vake paruoko rwangu naparuoko rwamadzibaba angu; zvikuru sei Mwari wenyu hangakoniwi kukurwirai paruoko rwangu here?

32:16b.2CH.032.016 Varanda vake vakawedzera kushora Jehovha Mwari nomuranda wake Hezekia.

32:17b.2CH.032.017 Akanyorawo mwadhi yokudadira nayo Jehovha Mwari walsiraeri, nokumushora, achiti, Vamwari vendudzi dzenyika idzo sezvavasina kurwira vanhu vavo paruoko rwangu, saizvozvowo Mwari waHezekia haangarwiri vanhu vake paruoko rwangu.

32:18b.2CH.032.018 Vakadanidzira nenzwi guru norurimi rwavaJudha kuvanhu veJerusaremu vakanga vari pamusoro porusvingo, kuvatyisa, nokuvavhundusa, kuti vagokunda guta.

32:19b.2CH.032.019 Vakataura pamusoro paMwari weJerusaremu, vachimuenzanisa navamwari vavanhu venyika, vakaitwa namaoko avanhu.

32:20b.2CH.032.020 Zvino mambo Hezekia nomuporofita Isaya mwanakomana waAmozi, vakanyengetera nokuda kwechinhu ichi, vakachemera kudenga.

32:21b.2CH.032.021 Ipapo Jehovha akatuma mutumwa akaparadza vose vakanga vane simba noumhare, navatungamiriri, navakuru pamisasa yamambo weAsiria. Saka iye akadzokera kunyika yake achinyara. Zvino akati achipinda mumba mamwari wake, avo vakanga vabuda pachiuno chake vakamuurayirapo nomunondo.

32:22b.2CH.032.022 Saizvozvo Jehovha akarwira Hezekia navakanga vagere Jerusaremu paruoko rwaShenakeribhi mambo weAsiria napamaoko avose, akavachengeta pamativi ose.

32:23b.2CH.032.023 Vazhinji vakauya nezvipo kuna Jehovha paJerusaremu, nezvinhu zvinokosha kuna Hezekia mambo waJudha; naizvozvo kubva panguva iyo akakudzwa pamberi pendudzi dzose. Kurwara kwaHezekia nokufa kwake

32:24b.2CH.032.024 Zvino namazuva iwayo Hezekia akarwara, kusvikira pakufa; akanyengetera kuna Jehovha, iye akataura naye, akamupa chiratidzo.

32:25b.2CH.032.025 Asi chinhu icho chakanaka chaakaitirwa, Hezekia haana kuchiripira zvakanaka, nokuti moyo wake akazvikudza, Jehovha akamutsamwira iye, naJudha neJerusaremu.

32:26b.2CH.032.026 Asi Hezekia akazozvininipisa pamusoro pokuzvikudza kwomoyo wake, iye navakanga vagere Jerusaremu, saka kutsamwa kwaJehovha hakuna kuvavinga pamazuva aHezekia.

32:27b.2CH.032.027 Hezekia akanga ane fuma zhinji nokukudzwa, akazviitira zvivigiro zvefuma yesirivha, neyendarama, neyezvibwe zvinokosha, neyezvinonhuhwira, neyenhovo, neyemidziyo yose yakanaka yamarudzi ose;

32:28b.2CH.032.028 namatura ezviyo akawanda, nedzimba dzewaini, namafuta; namatanga ezvipfuwo zvamarudzi ose, nezvirugu zvamakwai.

32:29b.2CH.032.029 Wakazviwanirawo maguta, nefuma yamakwai nemombe zhinji; nokuti Mwari akanga amupa fuma zhinji kwazvo.

32:30b.2CH.032.030 Ndiye Hezekiawo akadzivira tsime rokumusoro remvura yeGihoni, akaifambisa ikarurama kurutivi rwamavirazuva rweguta raDhavhidhi. Hezekia akakunda pamabasa ake ose.

32:31b.2CH.032.031 Asi pashoko renhume dzamachinda eBhabhironi, akatuma kwaari kuzomubvunza pamusoro pechishamiso chakanga chaitwa panyika, Mwari akamusiya kuti amuidze, kuti azive zvose zviri mumoyo make.

32:32b.2CH.032.032 Zvino mamwe mabasa aHezekia, nezvakanaka zvaakabata, tarirai, zvakanyorwa pane zvakaonekwa nomuporofita Isaya mwanakomana waAmozi, mubhuku yamadzimambo aJudha naIsiraeri.

32:33b.2CH.032.033 Hezekia akavata namadzibaba ake, vakamuviga kumukwidzwa unoenda kumarinda avanakomana vaDhavhidhi; vaJudha vose navakanga vagere Jerusaremu vakamukudza pakufa kwake. Mwanakomana wake Manase akamutevera paushe.

33

33:1b.2CH.033.001 Manase akatanga kubata ushe ava namakore ane gumi namaviri; akabata ushe makore makumi mashanu namashanu paJerusaremu;

33:2b.2CH.033.002 akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akatevera zvinonyangadza zvavahedheni vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri.

33:3b.2CH.033.003 Nokuti akavakazve matunhu akakwirira, akanga aputswa nababa vake Hezekia; akamutsira vaBhaari aritari, akaisapowo matanda okunamata nawo; akanamata kuhondo dzose dzokudenga, akadzishumira.

33:4b.2CH.033.004 Akavaka aritari mumba maJehovha, kunyange Jehovha akati, PaJerusaremu ndipo pachagara zita rangu nokusingaperi.

33:5b.2CH.033.005 Akavakira hondo dzose dzokudenga aritari muvazhe mbiri dzeimba yaJehovha.

33:6b.2CH.033.006 Akapinzawo vana vake mumoto pamupata womwanakomana waHinomi; akatenda mashura, akaita mazango, akabata uroyi, akagadza masvikiro navauki; akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha, ndokumutsamwisa nazvo.

33:7b.2CH.033.007 Akaisa mufananidzo wakavezwa wechifananidzo chamwari, chaakanga aveza, mumba maMwari, imo makanga manzi naMwari kuna Dhavhidhi nokunaSoromoni mwanakomana wake, Ndichaisa zita rangu nokusingaperi paimba ino napaJerusaremu, randakatsaura pakati pamarudzi ose aIsiraeri.

33:8b.2CH.033.008 Uye handichabvisi tsoka dzaIsiraeri panyika yandakaratidza madzibaba enyu; kana vachichenjera bedzi kuita zvose zvandakavaraira, murayiro wose, nezvakatemwa, nezvakarairwa naMozisi.

33:9b.2CH.033.009 Manase akatsausa vaJudha navakanga vagere Jerusaremu, vakaita zvakaipa kupfuura zvakaitwa nendudzi dzakaparadzwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri.

33:10b.2CH.033.010 Jehovha akataura naManase navanhu vake; asi havana kuteerera.

33:11b.2CH.033.011 Saka Jehovha akauyisa vakuru vehondo yamambo weAsiria kuzorwa navo, ivo vakabata Manase nezvikokovonho, vakamusunga namaketani, vakaenda naye Bhabhironi.

33:12b.2CH.033.012 Zvino akati ari pakutambudzika kwake, akachema kuna Jehovha Mwari wake, akazvininipisa kwazvo pamberi paJehovha Mwari wamadzibaba ake;

33:13b.2CH.033.013 akanyengetera kwaari; akamuteerera, akanzwa kukumbira kwake, ndokumudzosera Jerusaremu paushe hwake. Ipapo Manase akaziva kuti Jehovha ndiye Mwari.

33:14b.2CH.033.014 Shure kwaizvozvi wakavaka rusvingo nechokunze kweguta raDhavhidhi, kurutivi rwamavirazuva rweGihoni, mumupata, ipo pavanopinda napo pasuo rehove; akakomberedza Oferi, akavaka rusvingo rwakakwirira kwazvo; akagadzawo vakuru vanoumhare pamaguta ose akakombwa paJudha.

33:15b.2CH.033.015 Akabvisa vamwari vatorwa, nechifananidzo mumba maJehovha, nearitari dzose dzaakanga avaka mugomo reimba yaJehovha, napaJerusaremu, ndokuzvirashira kunze kweguta.

33:16b.2CH.033.016 Akavakazve aritari yaJehovha, akabayirapo zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, nezvokuvonga, akaraira vaJudha kuti vashumire Jehovha Mwari walsiraeri.

33:17b.2CH.033.017 Kunyange zvakadaro vanhu vakaramba vachibayira pamatunhu akakwirira, asi vakabayira Jehovha Mwari wavo bedzi.

33:18b.2CH.033.018 Zvino mamwe mabasa aManase, nomunyengetero wake kuna Mwari wake, namashoko avaoni vakataura kwaari nezita raJehovha Mwari waIsiraeri, tarirai zvakanyorwa mubhuku yamabasa amadzimambo aIsiraeri.

33:19b.2CH.033.019 Munyengetero wakewo, nokunzwika kwomunyengetero wake, nezvivi zvake, zvose, nokudarika kwake, nenzvimbo paakavaka matunhu akakwirira napaakaisa matanda okunamata nawo nemifananidzo yakavezwa, achigere kuzvininipisa, tarirai zvakanyorwa pakurondedzera kwaHozai.

33:20b.2CH.033.020 Ipapo Manase akavata namadzibaba ake, vakamuviga mumba make, Amoni mwanakomana wake akamutevera paushe. Amoni mambo waJudha

33:21b.2CH.033.021 Amoni akatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namaviri akabata ushe paJerusaremu makore maviri.

33:22b.2CH.033.022 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaita Manase baba vake; Amoni akabayira mifananidzo yose yakavezwa, yakanga yaitwa naManase baba vake, akazvishumira.

33:23b.2CH.033.023 Haana kuzvininipisa pamberi paJehovha, sokuzvininipisa kwaManase baba vake; asi Amoni uyu akaramba achingowedzera kudarika kwake.

33:24b.2CH.033.024 Varanda vake vakarangana vakamumukira, vakamuuraya mumba make.

33:25b.2CH.033.025 Asi vanhu venyika iyo vakazouraya vose vakanga varangana vakamukira mambo Amoni; vanhu venyika iyo vakaita mwanakomana wake Josia mambo panzvimbo yake.

34

34:1b.2CH.034.001 Josia akatanga kubata ushe ava namakore masere; akabata ushe paJerusaremu makore makumi matatu nerimwe.

34:2b.2CH.034.002 Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, akafamba nenzira yababa vake Dhavhidhi, haana kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe.

34:3b.2CH.034.003 Nokuti pagore rorusere rokubata kwake ushe, achiri muduku, akatanga kutsvaka Mwari waDhavhidhi baba vake; zvino pagore regumi namaviri akatanga kunatsa Judha neJerusaremu, achibvisa matunhu akakwirira, namatanda okunamata nawo nemifananidzo yakavezwa, nemifananidzo yakaumbwa.

34:4b.2CH.034.004 Vakakoromora aritari dzavaBhaari, iye aripo; akatema mifananidzo yezuva yakanga yakaitwa pamusoro padzo; akaputsanya matanda okunamata nawo, nemifananidzo yakavezwa, nemifananidzo yakaumbwa, akazvikuya zvikaita guruva, akarisasa pamarinda avaizvibayira.

34:5b.2CH.034.005 Akapisa mapfupa avapirisiti paaritari dzavo, akanatsa Judha neJerusaremu.

34:6b.2CH.034.006 Akaitawo saizvozvo pamaguta aManase naEfuremu naSimiyoni, kusvikira paNafutari, pamatongo awo.

34:7b.2CH.034.007 Akaputsa aritari, akakuya matanda okunamata nawo nemifananidzo yakavezwa zvikaita guruva, akatema mifananidzo yose yezuva panyika yose yaIsiraeri, ndokudzokera Jerusaremu.

34:8b.2CH.034.008 Zvino pagore regumi namasere rokubata kwake ushe, akati anatsa nyika neimba, ndokutuma Shafani mwanakomana waAzaria, naMaaseya, mubati weguta, naJoa mwanakomana waJohazi, gurukota, kundogadzira imba yaJehovha Mwari wake.

34:9b.2CH.034.009 Vakasvika kuna Hirikia mupirisiti mukuru, vakamupa mari yakanga yaiswa mumba yaMwari, yakanga yaunganidzwa navaRevhi, vatariri vemikova, pakati paManase paEfuremu, navose vakasara vavaIsiraeri navaJudha vose, navaBhenjamini, navakanga vagere Jerusaremu.

34:10b.2CH.034.010 Vakaipa pamaoko avabati vakanga vachitarira imba yaJehovha, vakairipa kuzovandudza nokugadzirisa imba;

34:11b.2CH.034.011 vakaipa vavezi navavaki, kuti vatenge mabwe akavezwa namatanda okubatanidza, nokuita mapango edzimba dzakanga dzaparadzwa namadzimambo aJudha.

34:12b.2CH.034.012 Vanhu avo vakabata basa nokutendeka; vatariri vavo vaiva Jahati naObhadhiya, vaRevhi vavanakomana vaMerari, naZekariya, naMeshurami, vavanakomana vaKohati, kuzoraira basa; navamwe vaRevhi, vose vaiziva kuridza zvinoridzwa.

34:13b.2CH.034.013 Ivo vaitarirawo vatakuri vemitoro, vakarairawo vose vaibata mabasa amarudzi ose; pakati pavaRevhi pakanga panavanyori, navatariri, navarindi vemikova.

34:14b.2CH.034.014 Zvino vakati vachibudisa mari yakanga yaiswa mumba maJehovha, mupirisiti Hirikia ndokuwana bhuku yomurayiro waJehovha, wakanga wapiwa naMozisi.

34:15b.2CH.034.015 Hirikia akapindura, akati kuna Shafani munyori, Ndawana bhuku yomurayiro mumba maJehovha. Hirikia ndokupa bhuku iyo kuna Shafani.

34:16b.2CH.034.016 Zvino Shafani akaenda nebhuku kuna mambo, uye akendawo neshoko kuna mambo, akati, Zvose zvakarairwa varanda venyu, vanozviita.

34:17b.2CH.034.017 Vakadurura mari yakawanikwa mumba maJehovha, vakaiisa mumaoko avatariri, nomumaoko avabati vebasa.

34:18b.2CH.034.018 Zvino Shafani munyori akaudza mambo, akati, mupirisiti Hirikia andipa bhuku. Ipapo Shafani akaravamo pamberi pamambo.

34:19b.2CH.034.019 Zvino mambo akati achinzwa mashoko omurayiro, akabvarura nguvo dzake.

34:20b.2CH.034.020 Mambo .akaraira Hirikia naAhikami mwanakomana waShafani, naAbhidhoni mwanakomana waMika, naShafani munyori, naAsaya muranda wamambo, akati,

34:21b.2CH.034.021 Endai mundondibvunzira Jehovha, ini navakasara vaIsiraeri navaJudha pamusoro pamashoko ebhuku yakawanikwa; nokuti kutsamwa kwaJehovha, kwadururwa pamusoro pedu, kukuru, nokuti madzibaba edu haana kuchengeta shoko raJehovha, kuti vaite zvose zvakanyorwa mubhuku iyi.

34:22b.2CH.034.022 Ipapo Hirikia navakanga varairwa namambo vakaenda kuna Huridha muporofitakadzi, mukadzi waSharumi mwanakomana waTokihati, mwanakomana waHazira, muchengeti wenguvo, (zvino iye akanga agere Jerusaremu kurutivi rutsva rweguta;) vakataura naye saizvozvo.

34:23b.2CH.034.023 Iye akati kwavari, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, Udzai munhu akakutumai kwandiri, muti,

34:24b.2CH.034.024 Zvanzi naJehovha, tarirai, ndichauyisa zvakaipa pamusoro penzvimbo iyi, napamusoro pavagerepo, iko kutuka kwose kwakanyorwa mubhuku iyo yavakarava pamberi pamambo waJudha.

34:25b.2CH.034.025 Nokuti vakandirasha, vakapisira vamwe vamwari zvinonhuwira, vakanditsamwisa namabasa ose amaoko avo; naizvozvo kutsamwa kwangu kwadururwa pamusoro penzvimbo iyi, hakungadzimwi.

34:26b.2CH.034.026 Asi muti kuna mambo waJudha, akakutumai kuzobvunza Jehovha, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, kana ari mashoko awakanzwa,

34:27b.2CH.034.027 moyo wako zvawakanga uri munyoro, ukazvininipisa pamberi paMwari, nguva yawakanzwa mashoko ake pamusoro penzvimbo iyi, napamusoro pavageremo, ukazvininipisa pamberi pangu, ukabvarura nguvo dzako, ukachema pamberi pangu, zvino zvanzi naJehovha, Ini ndakunzwawo.

34:28b.2CH.034.028 Tarira, ndichakuisa kumadzibaba ako, uchavigwa muhwiro nomufaro; meso ako haangaoni zvakaipa zvose zvandichauyisa pamusoro penzvimbo iyi, navanhu vageremo. Vakadzoka neshoko kuna mambo.

34:29b.2CH.034.029 Ipapo mambo akatuma vanhu vakaunganidza vakuru vose vaJudha naveJerusaremu.

34:30b.2CH.034.030 Mambo akakwira kumba kwaJehovha, ana varume vose vaJudha, navose vakanga vagere Jerusaremu, navapirisiti, navaRevhi, navanhu vose, vakuru navaduku; akavaravira mashoko ose ebhuku yesungano yakanga yawanikwa mumba maJehovha.

34:31b.2CH.034.031 Mambo akamira panzvimbo yake, akaita sungano pamberi paJehovha, akazvisunga kutevera Jehovha, nokuchengeta mirairo yake, nezvipupuriro zvake, nezvaakatema, nomoyo wake wose nomweya wake wose, kuti aite mashoko esungano akanyorwa mubhuku iyi.

34:32b.2CH.034.032 Akaraira vose vakanga vari Jerusaremu naBhenjamini kuabvumira. Vagere Jerusaremu vakaita sezvakarehwa pasungano yaMwari, iye Mwari wamadzibaba avo.

34:33b.2CH.034.033 Josia akabvisa zvakanga zvichinyangadza zvose panyika dzose dzaiva dzavaIsiraeri, akaraira vose vakanga vari pakati paIsiraeri kushumira Mwari, kushumira iye Jehovha Mwari wavo. Mazuva ake ose havana kutsauka pakutevera Jehovha Mwari wamadzibaba avo.

35

35:1b.2CH.035.001 Zvino Josia akaitira Jehovha Pasika paJerusaremu; vakauraya gwayana rePasika nezuva regumi namana romwedzi wokutanga.

35:2b.2CH.035.002 Akagadza vapirisiti pamabasa avo, akavatsungisa pabasa reimba yaJehovha.

35:3b.2CH.035.003 Akati kuna vaRevhi vaidzidzisa vaIsiraeri vose, vakanga vari vatsvene kuna Jehovha, Isai areka tsvene muimba yakavakwa naSoromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo walsiraeri; hamuchazovi nomutoro pamafudzi enyu; zvino, shumirai Jehovha Mwari wenyu, navanhu vake Isiraeri.

35:4b.2CH.035.004 Zvigadzirei, nedzimba dzamadzibaba enyu namapoka enyu, sezvakanyorwa naDhavhidhi mambo waIsiraeri, nezvakanyorwa naSoromoni mwanakomana wake.

35:5b.2CH.035.005 Mumire panzvimbo tsvene, sezvamakagoverwa nedzimba dzamadzibaba ehama dzenyu ivo vana vavanhu; imba imwe neimwe yamadzibaba avaRevhi ipiwe mugove wayo.

35:6b.2CH.035.006 Muuraye gwayana rePasika, muzvinatse, mugadzirire hama dzenyu; kuti muite sezvakarehwa neshoko raJehovha nomuromo waMozisi.

35:7b.2CH.035.007 Ipapo Josia akapa vana vavanhu zvimwe zvipfuwo, mwakwayana nembudzana, zvose kuti zvive zvipiriso zvePasika, ivo vose vakanga varipo, vakasvika zviuru zvina makumi matatu, uye nzombe dzine zviuru zvitatu; izvi zvose zvakabva pafuma yamambo.

35:8b.2CH.035.008 Namachinda ake akapawo nomoyo wose kuna vanhu, navapirisiti, navaRevhi. Hirikia, naZekariya, naJehieri, vabati veimba yaMwari, vakapa vapirisiti zvipfuwo zviduku zvine zviuru zviviri namazana matanhatu, nenzombe dzina mazana matatu, kuti zvive zvipiriso zvePasika.

35:9b.2CH.035.009 NaKonania, naShemaya, naNetaneri, hama dzake, naHashabhia, naJeyieri, naJozabhadhi, vakuru vavaRevhi, vakapa vaRevhi zvipfuwo zviduku zvine zviuru zvishanu, nenzombe dzina mazana mashanu, kuti zvive zvipiriso zvePasika.

35:10b.2CH.035.010 Basa rikagadzirwa saizvozvo, navapirisiti vakamira panzvimbo yavo, navaRevhi pamapoka avo, sezvavakanga varairwa namambo.

35:11b.2CH.035.011 Ipapo vakauraya makwayana ePasika, vapirisiti ndokusasa ropa ravakapiwa navo, vaRevhi vakaavhiya.

35:12b.2CH.035.012 Vakabvisa zvipiriso zvinopiswa, kuti vazvipe nemigove yedzimba dzamadzibaba avana vavanhu, kuti vazvibayire Jehovha, sezvakanyorwa mubhuku yaMozisi. Vakaita saizvozvo nenzombewo.

35:13b.2CH.035.013 Vakagocha Pasika pamoto, sezvakanga zvarairwa; vakabika zvipiriso zvitsvene muhari, nomumakate, nomumakango, vakachimbidzika kuzviisa kuvana vose vavanhu.

35:14b.2CH.035.014 Pashure vakazvigadzirira ivo navapirisiti; nokuti vapirisiti vanakomana vaAroni vakanga vachibayira zvipiriso zvinopiswa namafuta azvo kusvikira usiku; saka vaRevhi vakazvigadzirira ivo navapirisiti, ivo vanakomana vaAroni.

35:15b.2CH.035.015 Navaimbi ivo vanakomana vaAsafi, vakanga vari panzvimbo yavo, sezvavakanga varairwa naDhavhidhi, naAsafi, naHemani, naJedhutuni muoni wamambo; navarindi va kanga vari pamasuo ose, ivo havana kufanira kubva pamabasa avo, nokuti hama dzavo vaRevhi dzakavagadzirira.

35:16b.2CH.035.016 Basa rose raJehovha rikagadzirwa saizvozvo pazuva iro, rokuita Pasika, nokubayira zvipiriso zvinopiswa paaritari yaJehovha, sezvakanga zvarairwa namambo Josia.

35:17b.2CH.035.017 Zvino vana vaIsiraeri vakanga varipo vakaita Pasika nenguva iyo, nomutambo wezvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe.

35:18b.2CH.035.018 Pasika yakadai haina kumboitwa pakati paIsiraeri kubva pamazuva omuporofita Samueri; hakuna kumbova mumwe wamadzimambo aIsiraeri akaita Pasika yakanga yakafanana neyakaitwa naJosia, navapirisiti, navaRevhi, navaJudha navaIsiraeri vagere Jerusaremu.

35:19b.2CH.035.019 Pasika iyo yakaitwa negore regumi namasere rokubata ushe kwaJosia. Josia anourawa pakurwa naNeko mambo weIjipiti

35:20b.2CH.035.020 Shure kwaizvozvo zvose, Josia agadzira temberi, Neko mambo weIjipiti akandorwa naKarikemishi paYufuratesi; Josia akandorwa naye.

35:21b.2CH.035.021 Asi iye akatuma nhume kwaari, achiti, Ndineiko newe, iwe mambo waJudha? Handina kuuya kuzorwa newe nhasi, asi neimba yandinosirwa nayo; Mwari akandiraira kuti ndichimbidzike; zvino iwe chirega hako kunetsa Mwari aneni, kuti arege kukuparadza.

35:22b.2CH.035.022 Kunyange zvakadaro Josia akaramba kumurega, asi akazvishandura kuti arwe naye; haana kuteerera mashoko aNeko, akabva pamuromo waMwari, akaenda kundorwa naye pamupata waMegidho.

35:23b.2CH.035.023 Zvino vapfuri vouta vakapfura mambo Josia; mambo akati kuvaranda vake, Ndibvisei, nokuti ndakuvadzwa kwazvo.

35:24b.2CH.035.024 Ipapo varanda vake vakamubvisa pangoro yake, vakamuisa pangoro yake yechipiri yaakanga anayo, vakamuisa Jerusaremu; akafa, akavigwa mumahwiro amadzibaba ake. VaJudha vose neJerusaremu vakachema Josia.

35:25b.2CH.035.025 Jeremiya akaita rwiyo rwokuchema Josia; navaimbi vose varume navaimbi vakadzi vakareva zvaJosia panziyo dzavo dzokuchema kusvikira nhasi; vakazviita tsika pakati paIsiraeri; tarirai zvakanyorwa panziyo dzokuchema.

35:26b.2CH.035.026 Zvino mamwe mabasa aJosia, nezvakanaka zvaakaita, zvakanzwana nezvakanyorwa mumurayiro waJehovha,

35:27b.2CH.035.027 nezvaakaita, zvokutanga nezvokupedzisira, tarirai zvakanyorwa mubhuku yamadzimambo aIsiraeri naJudha.

36

36:1b.2CH.036.001 Ipapo vanhu venyika iyo vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosia, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake paJerusaremu.

36:2b.2CH.036.002 Joahazi akatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namatatu, akabata ushe paJerusaremu mwedzi mitatu.

36:3b.2CH.036.003 Mambo weIjipiti akamubvisa paushe paJerusaremu, akaripisa nyika matarenda esirivha ane zana, netarenda rimwe rendarama.

36:4b.2CH.036.004 Mambo weIjipiti akagadza Eriyakimi munununa wake ave mambo waJudha neJerusaremu, akashandura zita rake, rikazova Jehoyakimu. Neko akatora munununa wake Joahazi, akaenda naye Ijipiti.

36:5b.2CH.036.005 Jehoyakimu akatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore gumi nerimwe, akaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wake.

36:6b.2CH.036.006 Zvino Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika kuzorwa naye, akamusunga namaketani, kundomuisa Bhabhironi.

36:7b.2CH.036.007 Nebhukadhinezari akaendawo nedzimwe nhumbi dzeimba yaJehovha akadziisa Bhabhironi.

36:8b.2CH.036.008 Zvino mamwe mabasa aJehoyakimu, nezvinonyangadza zvake zvaakaita, nezvakawanikwa maari, tarirai zvakanyorwa mubhuku yamadzimambo aIsiraeri naJudha; Jehoyakini mwanakomana wake akamutevera paushe.

36:9b.2CH.036.009 Jehoyakini akatanga kubata ushe ava namakore masere, akabata ushe paJerusaremu mwedzi mitatu namazuva ane gumi; akaita zvakaipa pamberi paJehovha.

36:10b.2CH.036.010 Zvino gore rikati rapera mambo Nebhukadhinezari akatuma nhume vakamuisa Bhabhironi, pamwechete nenhumbi dzinokosha dzeimba yaJehovha, akaita munununa wake Zedhekia mambo waJudha neJerusaremu. Zedhekia mambo wokupedzisira waJudha

36:11b.2CH.036.011 Zedhekia akatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri nerimwe; akabata ushe paJerusaremu makore gumi nerimwe.

36:12b.2CH.036.012 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wake; haana kuzvininipisa pamberi pomuporofita Jeremiya, aitaura mashoko aibva pamurumo waJehovha. Nebhukadhinezari anoputsa Jerusaremu nokutapa vaJudha

36:13b.2CH.036.013 Akamukirawo mambo Nebhukadhinezari, akanga amupikisa naMwari; asi akawomesa mutsipa wake, nokuomesa moyo wake, akarega kutendeukira kuna Jehovha Mwari waIsiraeri.

36:14b.2CH.036.014 Uye vakuru vose vapirisiti navanhu vakadarika zvikuru kwazvo, vakatevera zvinonyangadza zvose zvavahedheni, vakasvibisa imba yaJehovha yaakanga atsaura paJerusaremu.

36:15b.2CH.036.015 Jehovha Mwari wamadzibaba avo akatuma mashoko kwavari nenhume dzake, achifumira mangwanani achituma; nokuti akanga ane tsitsi navanhu vake uye nenzvimbo yake;

36:16b.2CH.036.016 asi vakaseka nhume dzaMwari, vakazvidza mashoko ake, vakadadira vaporofita vake, kusvikira Jehovha atsamwira vanhu vake, kusvikira vasichagoni kurapwa.

36:17b.2CH.036.017 Saka wakauyisa mambo wavaKaradhea kwavari akauraya majaya avo nomunondo paimba yavo tsvene; haana kunzwira tsitsi kunyange jaya, kana musikana, kana mutana, kana akachena vhudzi; akavaisa vose muruoko rwake.

36:18b.2CH.036.018 Nhumbi dzosewo dzeimba yaMwari, huru neduku, nefuma yeimba yaJehovha, nefuma yamambo neyamachinda ake, akazviisa zvose Bhabhironi.

36:19b.2CH.036.019 Vakapisa imba yaMwari, vakaputsa rusvingo rweJerusaremu, vakapisa dzimba dzose dzoushe dzaro nomoto, vakaparadza nhumbi dzose dzinokosha dzaro.

36:20b.2CH.036.020 Avo vakanga vapukunyuka pamunondo, akaenda navo Bhabhironi; vakandova varanda vake navanakomana vake kusvikira ushe huchibatwa navaPeresia;

36:21b.2CH.036.021 kuti shoko raJehovha, rakanga rarehwa nomuromo waJeremiya, riitike; kusvikira nyika yafarira maSabata ayo, nokuti panguva yose yokuparadzwa kwayo yakachengeta maSabata, ikasvitsa makore ana makumi manomwe. Koreshi mambo wePerisia unotendera vaJudha kudzoka

36:22b.2CH.036.022 Zvino negore rokutanga raKoreshi mambo wePerisia, kuti shoko raJehovha rakanga rarehwa nomuromo waJeremiya riitike, Jehovha akamutsa mweya waKoreshi mambo wePerisia, akaparidza paushe hwake hwose, akazvinyorawo, achiti,

36:23b.2CH.036.023 Zvanzi naKoreshi mambo wePerisia, Jehovha Mwari wokudenga akandipa ushe hwose hwenyika, akandiraira kuti ndimuvakire imba paJerusaremu riri paJudha. Ani naani aripo pakati penyu wavanhu vake, Jehovha Mwari wake ngaave naye, ngaakwire hake ko.


Holder of rights
Multilingual Bible Corpus

Citation Suggestion for this Object
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. 2 Chronicles (Shona). 2 Chronicles (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C57E-D