2 Kings (Shona)

2 Kings (Shona)

1

1:1b.2KI.001.001 Zvino vaMoabhu vakamukira vaIsiraeri, shure kwokufa kwaAhabhi.

1:2b.2KI.001.002 Zvino Ahazia wakanga awira pasi napahwindo yekamuri yake yokumusoro, yaiva paSamaria, akarwara akatuma nhume, akati kwavari, Endai mundobvunza Bhaarizebhubhi, mwari weEkironi, kana ndichapora pakurwara uku.

1:3b.2KI.001.003 Asi mutumwa waJehovha akati kuna Eria muTishibhi, Simuka undosangana nenhume dzamambo weSamaria, uti kwavari, Asi hapana Mwari here pakati paIsiraeri, zvamondobvunza Bhaarizebhubhi, mwari weEkironi?

1:4b.2KI.001.004 Naizvozvo zvanzi naJehovha, Haungaburukizve pamubhedha wawakwira, asi zvirokwazvo uchafa. Eria akabva.

1:5b.2KI.001.005 Ipapo nhume dzakadzokera kwaari, iye akati kwavari, Madzokereiko?

1:6b.2KI.001.006 Ivo vakati kwaari, Mumwe murume wakauya akasangana nesu, akati kwatiri, Endai, dzokerai kuna mambo wakakutumai, muti kwaari, Zvanzi naJehovha, asi hapana Mwari here pakati paIsiraeri, zvawotuma vanhu kundobvunza Bhaarizebhubhi mwari weEkironi? Naizvozvo haungaburukizve pamubhedha wawakwira, asi zvirokwazvo uchafa.

1:7b.2KI.001.007 Akati kwavari, Murume, wakauya akasangana nemi, akakuudzai mashoko awo, wakanga akadiniko?

1:8b.2KI.001.008 Vakamupindura vakati, Wakanga ari murume wakafuka nguvo yemvere, akazvisunga chiuno chake nebhanire reganda. Iye akati, Ndiye Eria muTishibhi.

1:9b.2KI.001.009 Ipapo mambo akatuma kwaari mukuru wavarume vana makumi mashanu, ana vanhu vake vana makumi mashanu. Iye akakwira kwaari, akamuwana agere pamusoro pegomo. Akati kwaari, Nhai munhu waMwari, zvanzi namambo, Burukai.

1:10b.2KI.001.010 Eria akapindura, akati kumukuru wavana makumi mashanu, Kana ndiri munhu waMwari, moto ngauburuke kudenga, ukuparadze iwe navanhu vako vana makumi mashanu. Ipapo moto ukaburuka kudenga, ukamuparadza iye navanhu vake vana makumi mashanu.

1:11b.2KI.001.011 Akatumazve kwaari mumwe mukuru wavana makumi mashanu. Iye akapindura, akati kwaari, Nhai munhu waMwari, zvanzi namambo, Kurumidzai muburuke.

1:12b.2KI.001.012 Eria akapindura, akati kwavari, Kana ndiri munhu waMwari, moto ngauburuke kudenga, ukuparadze iwe navanhu vako vana makumi mashanu. Ipapo moto waMwari ukaburuka kudenga, ukamuparadza iye navanhu vake vana makumi mashanu.

1:13b.2KI.001.013 Akatumazve mumwe mukuru wavana makumi mashanu; wechitatu, anavanhu vake vana makumi mashanu. Zvino iye mukuru wavana makumi mashanu, wechitatu, akakwira, akapfugama namabvi ake pamberi paEria, akakumbira, akati kwaari, Haiwa, munhu waMwari, upenyu hwangu nohwavaranda venyu ava vana makumi mashanu, ngachive chinhu chinokosha pamberi penyu.

1:14b.2KI.001.014 Tarirai, moto wakaburuka kudenga, ukapisa vakuru vaviri vavana makumi mashanu vokutanga navanhu vavo vana makumi mashanu; naizvozvo upenyu hwangu zvino ngachive chinhu chinokosha pamberi penyu.

1:15b.2KI.001.015 Ipapo mutumwa waJehovha akati kuna Eria, Buruka naye, usamutya hako. Akasimuka, akaenda naye kuna mambo.

1:16b.2KI.001.016 Akati kwaari, Zvanzi naJehovha, Zvawakatuma nhume kundobvunza Bhaarizebhubhi, mwari weEkironi, asi hapana Mwari here pakati paIsiraeri, waungabvunza shoko rake? Naizvozvo haungaburukizve pamubhedha wawakwira, asi zvirokwazvo uchafa.

1:17b.2KI.001.017 Naizvozvo akafa seshoko raJehovha rakanga rarehwa naEria. Jehoramu akamutevera paushe, akatanga kubata ushe pagore rechipiri reJehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo waJudha; nokuti iye wakanga asina mwana.

1:18b.2KI.001.018 Mamwe mabasa aAhazia aakabata, haana kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?

2

2:1b.2KI.002.001 Zvino nguva yakati yasvika Jehovha yaakada kukwidza Eria nayo kudenga nechinyamupupuri, Eria akaenda naErisha vachibva Girigari.

2:2b.2KI.002.002 Eria akati kuna Erisha, Iwe chigara pano,nokuti Jehovha wakandituma Bhetieri. Erisha akati, NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiyi. Naizvozvo vakaburukira Bhetieri.

2:3b.2KI.002.003 Zvino vanakomana vavaporofita vaiva paBhetieri, vakasvika kuna Erisha, vakati kwaari, Munoziva here kuti Jehovha uchakubvisirai tenzi wenyu nhasi? Iye akati, Hongu, ndinoziva; nyararai henyu.

2:4b.2KI.002.004 Eria akati kwaari, Erisha, iwe chigara pano, nokuti Jehovha wakandituma Jeriko. lye akati, NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiyiyi. Naizvozvo vakasvika Jeriko.

2:5b.2KI.002.005 Zvino vanakomana vavaporofita, vaiva paJeriko, vakaswedera kuna Erisha, vakati kwaari, Munoziva here kuti Jehovha uchakubvisirai tenzi wenyu nhasi? Iye akapindura, akati, Hongu, ndinoziva, nyararai henyu.

2:6b.2KI.002.006 Eria akati kwaari, Iwe chigara pano, nokuti Jehovha wakandituma kwaJorodhani. Iye akati, NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiyiyi. Ivo vari vaviri vakapfuura havo.

2:7b.2KI.002.007 Zvino varume vana makumi mashanu vavanakomana vavaporofita vakaenda vakandomira pakatarisana navo vari kure; ivo vari vaviri vakamira paJorodhani.

2:8b.2KI.002.008 Ipapo Eria akatora nguvo yake, akaipeta, akarova mvura, ikaparadzaniswa napakati, naizvozvo ivo vaviri vakayambuka pakawoma.

2:9b.2KI.002.009 Zvino vakati vayambuka, Eria akati kuna Erisha, Kumbira chandingakuitira, ndichigere kubviswa kwauri. Erisha akati, Ndipei migove miviri yomweya wenyu.

2:10b.2KI.002.010 Akati, Wakumbira chinhu chinogozha; asi kana ukandiona ndichibviswa kwauri, uchaitirwa izvozvo; asi kana usingandiwoni, haungaitirwi izvozvo.

2:11b.2KI.002.011 Zvino vakati vachifamba, vachingotaurirana havo, ngoro yomoto namabhiza omoto zvikasvika, zvikavaparadzanisa ivo vaviri; Eria akakwira kudenga nechinyamupupuri.

2:12b.2KI.002.012 Erisha akazviona, akadanidzira, achiti, Baba vangu, baba vangu, ngoro yaIsiraeri navatasvi vayo vamabhiza Akasazomuonazve; akabata nguvo dzake akadzibvarura napakati.

2:13b.2KI.002.013 Akanonga jasi raEria rakanga rawa kwaari, akadzoka akamira pamhenderekedzo yaJorodhani;

2:14b.2KI.002.014 akatora jasi raEria rakanga rawa kwaari, akarova mvura, akati, Jehovha Mwari waEria uripiko? Zvino wakati arova mvura, ikaparadzaniswawo napakati, Erisha akayambuka.

2:15b.2KI.002.015 Zvino vanakomana vavaporofita vakanga vari paJeriko pakatarisana naye, vakati vachimuona, vakati, Mweya waEria wogara pamusoro paErisha. Vakandosangana naye, vakakotamira pasi pamberi pake.

2:16b.2KI.002.016 Vakati kwaari, Tarirai, isu varanda venyu, tina varume vana makumi mashanu vane simba; ivo ngavaende havo kundotsvaka tenzi wenyu, zvimwe Mweya waJehovha wamukwidza, ukamukandira pane rimwe gomo, kana muno mumwe mupata. Iye akati, Regai henyu kuvatuma.

2:17b.2KI.002.017 Asi ivo vakati vamugombedzera, kusvikira anyara, akati, Tumai henyu. Naizvozvo vakatuma varume vana makumi mashanu, vakatsvaka mazuva matatu, asi havana kumuwana.

2:18b.2KI.002.018 Vakadzokerazve kwaari achiri paJeriko, iye akati kwavari, Handina kukuudzai here, ndikati Regai kuenda. Erisha anorapa mvura yeJeriko

2:19b.2KI.002.019 Zvino varume veguta vakati kuna Erisha, Tarirai, henyu, nzvimbo yeguta yakanaka hayo, sezvamunoona, ishe wedu, asi mvura yakaipa, nenyika haibereki zvakanaka.

2:20b.2KI.002.020 Iye akati, Ndivigire ndiro itsva, mugoisa munyumo. Vakamuvigira iyo.

2:21b.2KI.002.021 Akaenda kuchitubu chemvura, akadira munyu imomo, akati, Zvanzi naJehovha, Ndarapa mvura iyi, hapachazobvipo rufu, kana kusabereka.

2:22b.2KI.002.022 Naizvozvo mvura ikarapwa kusvikira, nhasi sezvakataura, iye Erisha. Vana, vanoseka Erisha, vanourawa namapere

2:23b.2KI.002.023 Zvino wakabvapo, akaenda Bhetieri; akati achikwira nenzira, zvikomana zvikabuda muguta, zvikamuseka, zvikati kwaari, Iwe nyamanza, kwira, iwe nyamanza, kwira!

2:24b.2KI.002.024 Iye akacheuka, akavaona, akavatuka nezita raJehovha. Ipapo maperekadzi maviri akabuda mudondo, akaparadza vana vana makumi mana navaviri vavo.

2:25b.2KI.002.025 Akabvapo akaenda kugomo reKarimeri, akabvapo akadzokera Samaria.

3

3:1b.2KI.003.001 Zvino Jehoramu mwanakomana waAhabhi wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria negore regumi namasere raJehoshafati mambo waJudha, akabata ushe makore ane gumi namaviri.

3:2b.2KI.003.002 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, asi haana kuita sababa vake kana samai vake; nokuti wakabvisa shongwe yaBhaari yakanga yaitwa nababa vake.

3:3b.2KI.003.003 Kunyange zvakadaro, wakanamatira zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, haana kutsauka kwazviri.

3:4b.2KI.003.004 Zvino Mesha mambo waMoabhu wakanga ari mwene wamakwai, waipa mambo waIsiraeri makushe amakwayana ane zviuru zvine zana, naamakondohwe ane zviuru zvine zana.

3:5b.2KI.003.005 Asi Ahabhi wakati afa, mambo waMoabhu akamukira mambo waIsiraeri.

3:6b.2KI.003.006 Mambo Jehoramu akabuda paSamaria nenguva iyo, akaunganidza vaIsiraeri vose.

3:7b.2KI.003.007 Akatuma shoko kuna Jehoshafati mambo waJudha, achiti, Mambo waMoabhu wandimukira, uchaenda neni kundorwa naMoabhu here? Iye akati, Ndichaenda; ini ndakaita sewe, navanhu vangu savanhu vako, namabhiza angu samabhiza ako.

3:8b.2KI.003.008 Iye akati, Tichaenda nenzira ipiko? Akati, Nenzira yokurenje raEdhomu.

3:9b.2KI.003.009 Naizvozvo mambo waIsiraeri akaenda, namambo waJudha, namambo waEdhomu, vakapota vakafamba mazuva manomwe, vakashaiwa mvura yokunwisa hondo nezvipfuwo zvavakanga vanazvo.

3:10b.2KI.003.010 Ipapo mambo waIsiraeri akati, Haiwa! Jehovha wakadana madzimambo awa matatu, kuti avaise mumaoko avaMoabhu.

3:11b.2KI.003.011 Zvino Jehoshafati akati, Hapana muporofita waJehovha pano, tibvunze Jehovha naye here? Mumwe wavaranda vamambo waIsiraeri akapindura, akati, Erisha mwanakomana waShafati ari pano, iye wakadeya kusururidza mvura pamaoko aEria.

3:12b.2KI.003.012 Jehoshafati akati, Shoko raJehovha riri kwaari. Zvino mambo waIsiraeri, naJehoshafati, namambo waEdhomu vakaenda kwaari.

3:13b.2KI.003.013 Erisha akati kuna mambo waIsiraeri, Ndineiko nemi? Endai kuvaporofita vababa venyu nokuvaporofita vamai venyu. Mambo waIsiraeri akati kwaari, Kwete, nokuti Jehovha ndiye wakadana madzimambo awa matatu, kuti avaise mumaoko avaMoabhu.

3:14b.2KI.003.014 Erisha akati, NaJehovha wehondo mupenyu, iye wandimire pamberi pake, zvirokwazvo dai ndisaiva nehanya naJehoshafati mambo waJudha ari pano, handizaitarira kwamuri, kana kukuonai imi.

3:15b.2KI.003.015 Asi zvino uyai kwandiri nomuridzi wembira. Zvino muridzi wembira wakati achiridza, ruoko rwaJehovha rukauya pamusoro pake.

3:16b.2KI.003.016 Akati, Zvanzi naJehovha, Cherai makoronga mazhinji pamupata uyu.

3:17b.2KI.003.017 Nokuti zvanzi naJehovha, Hamungawoni mhepo, hamungawoni mvura; kunyange zvakadaro mupata uyu uchazadzwa nemvura; imi muchanwa, imi nezvipfuwo zvenyu, nezvinotakura nhumbi dzenyu.

3:18b.2KI.003.018 Chinhu ichi chiduku hacho pamberi paJehovha; asi iye uchaisawo vaMoabhu mumaoko enyu.

3:19b.2KI.003.019 Muchaparadza guta rimwe nerimwe rakasimbiswa, neguta rimwe nerimwe rakatsaurwa, muchatema muti mumwe nomumwe wakanaka, nokudzivira matsime ose emvura, nokushatisa namabwe munda mumwe nomumwe wakanaka.

3:20b.2KI.003.020 Zvino fume mangwana, nenguva yokubayira chipo, mvura ikaonekwa ichibva nenzira yaEdhomu, nyika ikazadzwa nemvura.

3:21b.2KI.003.021 Zvino vaMoabhu vose vakati vachinzwa kuti madzimambo akanga asvika kuzorwa navo, vakaungana, vose vakanga vachigona kupfeka nhumbi dzokurwa nadzo, navakavapfuura pamakore, vakandomira pamuganhu.

3:22b.2KI.003.022 Vakamuka mangwanani, vakaona zuva richipenya pamvura, vaMoabhu vakaona mvura vari kure yakatsvuka seropa.

3:23b.2KI.003.023 Vakati, Iropa; zvirokwazvo madzimambo aparadzwa, vaurayana; naizvozvo zvino, vaMoabhu, endai mundopamba.

3:24b.2KI.003.024 Zvino vakati vachisvika pamisasa yavaIsiraeri, vaIsiraeri vakasimuka, vakaparadza vaMoabhu, vakatiza pamberi pavo; vakapinda munyika yavo vachiparadza vaMoabhu.

3:25b.2KI.003.025 Vakaputsa maguta, mumwe nomumwe akakanda ibwe rake pamunda mumwe nomumwe wakanaka, ikazara; vakadzivira matsime ose emvura, vakatema miti yose yakanaka, kusvikira vasiya mabwe oga paKirihareseti, vaposheri vamabwe vakarikomba, vakariparadza.

3:26b.2KI.003.026 Zvino mambo waMoabhu wakati achiona kuti wakundwa pakurwa, akatora varume vana mazana manomwe vaigona kurwa nomunondo, akaidza kupasanura kuna mambo waEdhomu; asi vakanga vasingagoni.

3:27b.2KI.003.027 Ipapo akatora mwanakomana wake wedangwe, waifanira kumutevera paushe, akamubayira chive chipiriso chinopiswa pamusoro porusvingo. Ipapo vaIsiraeri vakatsamwa kwazvo, vakabva kwaari, vakadzokera kunyika yavo.

4

4:1b.2KI.004.001 Zvino mumwe mukadzi wavakadzi vavanakomana vavaporofita wakachema kuna Erisha, akati, Muranda wenyu, murume wangu, wafa; munoziva kuti muranda wenyu wakanga achitya Jehovha; zvino uyo, waakanga atora chikwerete kwaari, wauya kuzotora vana vangu vaviri kuzova varanda vake.

4:2b.2KI.004.002 Erisha akati kwaari, Ndingakubatsira seiko? Ndiudze. Uneiko mumba mako? Iye akati, Murandakadzi wenyu haane chinhu mumba, asi hari ina mafuta.

4:3b.2KI.004.003 Ipapo akati, Enda undokwereta kuna vose vaugere navo midziyo isina chiro; usakwereta mishoma.

4:4b.2KI.004.004 Zvino upinde, iwe navana vako, upfige mukova, udire mumidziyo iyo yose, uchigadzika yose yazara kurutivi.

4:5b.2KI.004.005 Naizvozvo akabva kwaari, akapfiga mukova, iye navana vake vari mukati; ivo vakamusvitsa midziyo, akadira.

4:6b.2KI.004.006 Midziyo yakati yazara, akati kumwanakomana wake, Ndipezve mumwe mudziyo. Iye akati kwaari, Hapachina mumwe mudziyo; mafuta akagumawo.

4:7b.2KI.004.007 Ipapo akandoudza munhu waMwari, iye akati, Chienda undotengesa mafuta, uripe chikwerete chako, urarame nezvakasara, iwe navanakomana vako. Mwana womukadzi weShunemi anoraramiswa naErisha

4:8b.2KI.004.008 Zvino mumwe musi Erisha akapfuura napaShunemi, pakanga pagere mukadzi wakakurumbira, iye akamugombedzera kudya zvokudya. Zvino nguva dzose kana achipfuura napo, waitsaukirako kuzodya zvokudya.

4:9b.2KI.004.009 Akati kumurume wake, Tarirai zvino, ndinoona kuti uyu murume, unosipfuura nokwatiri, munhu mutsvene waMwari.

4:10b.2KI.004.010 Ngativake kamuri duku pamusoro porusvingo, timuisiremo mubhedha, netafura, nechigaro, nechigadziko chomwenje; zvino kana achinge achiuya kwatiri, agotsaukiramo.

4:11b.2KI.004.011 Zvino mumwe musi akasvikapo, akatsaukira kukamuri iyo duku, akandovatamo.

4:12b.2KI.004.012 Akati kuna Gehazi muranda wake, Dana mukadzi uyu muShunemi. Wakati amudana, iye akamira pamberi pake.

4:13b.2KI.004.013 Akati kwaari, Chitaura kwaari zvino, uti Tarirai, makatichengeta zvikuru kwazvo, zvino tingakuitireiwo? Munoda kuti tikureverei kuna mambo, kana kumukuru wehondo here? Iye akapindura, akati, Ndigere hangu zvakanaka pakati pavanhu vangu.

4:14b.2KI.004.014 Akati, Zvino tingamuitireiko? Gehazi akapindura, akati, Zvirokwazvo haana mwanakomana, nomurume wake wakwegura.

4:15b.2KI.004.015 Iye akati, Mudane. Wakati amudana, iye akamira pamukova.

4:16b.2KI.004.016 Akati, Nenguva ino kana gore rapera, uchafungatira mwana. Iye akati, Kwete, ishe wangu, munhu waMwari, regai kureva nhema kumurandakadzi wenyu.

4:17b.2KI.004.017 Mukadzi akava nemimba, akapona mwanakomana nenguva iyo pakupera kwegore, sezvakanga zvataura Erisha kwaari.

4:18b.2KI.004.018 Zvino mwana wakati akura, akaenda mumwe musi kuna baba vake kuvakohwi.

4:19b.2KI.004.019 Akati kuna baba vake, Musoro wangu, musoro wangu! Ivo vakati kumuranda, Mubereke uende naye kuna mai vake.

4:20b.2KI.004.020 Iye akamutora, akamuisa kuna mai vake, akagara pamabvi avo kusvikira masikati makuru, akafa.

4:21b.2KI.004.021 Ivo vakakwira, vakandomuradzika pamubhedha womunhu waMwari, vakamupfigiramo, vakabuda.

4:22b.2KI.004.022 Akadana murume wake, akati, Nditumirewo mumwe muranda nembongoro imwe, ndimhanyire kumunhu waMwari, ndigodzokazve.

4:23b.2KI.004.023 Iye akati, Unoda kuendereiko kwaari nhasi? Hakuzi kugara kwomwedzi, kana Sabata. Iye akati, Hazvine mhosva.

4:24b.2KI.004.024 Zvino akaisa chigaro pambongoro, akati kumuranda wake, Uifambise, ipfuurire mberi; rega kundinonotsa pakufamba, asi kana ndikakuudza.

4:25b.2KI.004.025 Naizvozvo akaenda, akasvika kumunhu waMwari pagomo reKarimeri. Munhu waMwari wakati achimuona achiri kure, akati kuna Gehazi muranda wake, Tarira hoyo mukadzi muShunemi.

4:26b.2KI.004.026 Mhanya hako zvino undosangana naye, uti kwaari, Makafara here? Murume wenyu wakafara here? Nomwana wakafara here? Iye akapindura, akati, Haiwa, takafara hedu!

4:27b.2KI.004.027 Zvino wakati asvika kumunhu waMwari pagomo, akabata tsoka dzake. Gehazi akaswedera achida kumusundira kure; asi munhu waMwari akati, Murege hake, nokuti mweya wake une shungu mukati make. Asi Jehovha wakandivanzira izvozvo, haana kundiudza.

4:28b.2KI.004.028 Ipapo iye akati, Ko ndakakumbira mwanakomana kuna ishe wangu here? Ko handina kuti, regai kundinyengedzera here?

4:29b.2KI.004.029 Ipapo akati kuna Gehazi, Chizvisunga chiuno, uende; kana ukasangana nomunhu, rega kumukwazisa; kana mumwe akakukwazisa, usamudavira; ugondoisa tsvimbo yangu pamusoro pechiso chomwana.

4:30b.2KI.004.030 Zvino mai vomwana vakati, NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiyiyi. Akasimuka, akamutevera.

4:31b.2KI.004.031 Gehazi akavatungamirira, akandoisa tsvimbo pachiso chomwana, asi kwakanga kusino kutaura kana kunzwa. Naizvozvo akadzoka kuzosangana naye, akati kwaari, Mwana haana kupepuka.

4:32b.2KI.004.032 Erisha wakati apinda mumba akawana mwana akafa, akaradzikwa pamubhedha wake.

4:33b.2KI.004.033 Naizvozvo akapinda, akapfiga mukova, iye ari mukati nomwana, ivo vaviri, akanyengetera kuna Jehovha.

4:34b.2KI.004.034 Akakwira, akatsivama pamusoro pomwana, akaisa muromo wake pamuromo wake, nameso ake pameso ake, namaoko ake pamaoko ake; akatsivama pamusoro pake, nyama yomwana ikadziya.

4:35b.2KI.004.035 Zvino akadzoka, akafamba-famba mumba kamwe, akakwirazve, akatsivama pamusoro pake; mwana akahotsira kanomwe, mwana ndokusvinudza meso ake.

4:36b.2KI.004.036 Ipapo akadana Gehazi, akati, Dana mukadzi muShunemi. Akamudana. Iye wakati apinda kwaari, Erisha akati, Simudza mwanakomana wako.

4:37b.2KI.004.037 Zvino iye akapinda, akazviwisira patsoka dzake, akakotamira pasi; akasimudza mwanakomana wake, akabuda. Erisha anorapa muriwo wakanga uchivava

4:38b.2KI.004.038 Zvino Erisha akaendazve Girigari, nzara yakanga iripo panyika; vanakomana vavaporofita vakanga vagere pamberi pake, akati kumuranda wake, Gadza hari huru, ubikire vanakomana vavaporofita zvokudya.

4:39b.2KI.004.039 Zvino mumwe akaenda kusango kundotanha miriwo, akawana muti unotanda, akatanhapo magaka, akazadza nguvo yake nawo, akasvika akaachekerera muhari yezvokudya, nokuti vakanga vasingaazivi.

4:40b.2KI.004.040 Zvino vakapakurira vanhu kuti vadye. Ivo. vakati vodya zvokudya, vakadanidzira, vakati, Munhu waMwari, rufu ruri muhari. Vakasagona kuzvidya.

4:41b.2KI.004.041 Asi iye akati, Uyai noupfu. Akahudira muhari, akati, Chipakurai henyu, vanhu vadye. Zvino kwakanga kusine chinhu chakaipa muhari. Erisha anowanza zvingwa

4:42b.2KI.004.042 Zvino mumwe murume wakasvika, achibva Bhaarisharisha, akavigira munhu waMwari zvokudya zvezvitsva, zvingwa zvebhari zvina makumi maviri, nehura itsva dzezviyo muhomwe yake. Akati, Ipai vanhu, vadye.

4:43b.2KI.004.043 Muranda wake akati, Ndingaisa izvi pamberi pavanhu vane zana seiko? Asi iye akati, Ipai vanhu, vadye, nokuti zvanzi naJehovha, Vachadya, vakasiya zvimwe.

4:44b.2KI.004.044 Naizvozvo akazviisa pamberi pavo, vakadya, vakasiya zvimwe, sezvakataura shoko raJehovha.

5

5:1b.2KI.005.001 Zvino Naamani, mukuru wehondo dzamambo weSiria, waiva munhu mukuru kuna tenzi wake, nomunhu waikudzwa; nokuti Jehovha wakanga akundisa vaSiria naye; uye waiva munhu wesimba noumhare, asi wakanga ana maperembudzi.

5:2b.2KI.005.002 Zvino vaSiria vakanga vandorwa vakaita mapoka-poka, vakadzoka nomusikana muduku wavakanga vatapa panyika yaIsiraeri; iye wakanga achibatira mukadzi waNaamani basa.

5:3b.2KI.005.003 Akati kuna tenzikadzi wake, Dai ishe wangu aiva kumuporofita ari paSamaria,ungadai akavaporesa maperembudzi ake.

5:4b.2KI.005.004 Zvino mumwe akapinda, akandoudza ishe wake, akati, Musikana wenyika yaIsiraeri wakataura chokuti nechokuti.

5:5b.2KI.005.005 Mambo weSiria akati, Enda, ndinoda kutuma mwadhi kuna mambo waIsiraeri. Akabva akaenda namatarenda ane gumi esirivha, namashekeri ane zvuru zvitanhatu zvendarama, nenguvo dzakanaka dzine gumi.

5:6b.2KI.005.006 Akaenda nemwadhi kuna mambo waIsiraeri, yakanga ichiti, Zvino kana mwadhi iyi ichisvika kwamuri, muzive kuti ndatuma Naamani muranda wangu kwamuri, kuti mumuporese maperembudzi ake.

5:7b.2KI.005.007 Zvino mambo waIsiraeri wakati arava mwadhi iyo, akabvarura nguvo dzake, akati, Asi ndini Mwari kanhi? Ndinoziva kuuraya nokuraramisa kanhi, munhu uyu zvaatuma shoko kwandiri, kuti ndiporese munhu maperembudzi ake? Asi fungai, muwone, kuti unotsvaka kurwa neni.

5:8b.2KI.005.008 Zvino Erisha munhu waMwari, wakati achinzwa kuti mambo waIsiraeri wabvarura nguvo dzake, akatuma shoko kuna mambo, akati, Mabvarurireiko nguvo dzenyu? Ngaauye hake zvino kwandiri, azive kuti muporofita aripo pakati paIsiraeri.

5:9b.2KI.005.009 Naizvozvo Naamani akaenda namabhiza ake nengoro dzake, akandomira pamukova weimba yaErisha.

5:10b.2KI.005.010 Erisha akatuma nhume kwaari, akati, Enda, undoshamba kanomwe muna Jorodhani, nyama yako idzokerezve kwauri, uve wakanaka.

5:11b.2KI.005.011 Asi Naamani wakatsamwa, akabva, akati, Tarirai, ndanga ndichiti, zvirokwazvo uchabuda kwandiri, akamira, akadana zita raJehovha Mwari wake, nokupuruzirapo noruoko rwake, agoporesa maperembudzi.

5:12b.2KI.005.012 Ko Abana neFaripari, idzo nzizi dzeDhamasiko, hadzina kunaka kukunda mvura yose iri pakati paIsiraeri here? Handingashambi madziri, ndikava wakanaka here? Naizvozvo akaenda, akabva atsamwa kwazvo.

5:13b.2KI.005.013 Zvino varanda vake vakaswedera, vakataura naye, vakati, Nhai, baba vedu, dai muporofita akakurairai kuita chinhu chikuru, hamuchizviita here? Ndoda zvaakati kwamuri, Shamba, uve wakanaka?

5:14b.2KI.005.014 Ipapo akaburuka, akandonyura muna Jorodhani kanomwe, sezvakanga zvataura munhu waMwari; nyama yake ikadzoka, ikafanana nenyama yomwana muduku, akava wakanaka.

5:15b.2KI.005.015 Zvino akadzokera pakati paIsiraeri; naizvozvo zvino, gamuchirai henyu chipo kumuranda wenyu.

5:16b.2KI.005.016 Asi iye akati, NaJehovha mupenyu, iye wandimire pamberi pake, handingagamuchiri chinhu. Akamugombedzera, kuti agamuchire, asi wakaramba.

5:17b.2KI.005.017 Zvino Naamani akati, Kana musingadi henyu, muranda wenyu ngaapiwe hake mitoro yevhu ingatakurwa namahesera maviri; nokuti kubva zvino muranda wenyu haangabayiri vamwe vamwari chipiriso chinopiswa kana chimwe chibayiro asi Jehovha oga.

5:18b.2KI.005.018 Asi Jehovha ngaakanganwire hake muranda wake pachinhu ichi, kana tenzi wangu achipinda mumba maRimoni kuzonamatapo, akasendamira paruoko rwangu, ini ndikapfugama mumba maRimoni; kana ndikapfugama mumba maRimoni Jehovha ngaakaganwire muranda wake pachinhu ichi.

5:19b.2KI.005.019 Akati kwaari, Enda hako nomufaro. Naizvozvo akabva kwaari, akafamba chinhambo chiduku.

5:20b.2KI.005.020 Asi Gehazi muranda waErisha, munhu waMwari, akati, Tarirai, tenzi wangu wakarega Naamani uyu muSiria, zvaasina kugamuchira kwaari chaakanga auya nacho; asi naJehovha mupenyu, ndichamhanya, ndikamutevera, nditore chinhu kwaari.

5:21b.2KI.005.021 Naizvozvo Gehazi akatevera Naamani. Zvino Naamani wakati achiona munhu achimhanya achimutevera, akaburuka pangoro kuti asangane naye, akati, Makafara henyu mose here?

5:22b.2KI.005.022 Iye akati, Takafara hedu tose. Tenzi wangu wakandituma, achiti, Tarirai, zvino-zvino majaya maviri, vanakomana vavaporofita, vakasvika kwandiri, vachibva kunyika yamakomo yaEfuremu; dondipaiwo tarenda rimwe resirivha, nenguvo mbiri dzakanaka.

5:23b.2KI.005.023 Naamani akati, Ndinokumbira kuti utore hako matarenda maviri. Akamugombedzera, akasungira matarenda maviri esirivha muhomwe mbiri, pamwechete nenguvo mbiri dzakanaka, akazvitakudza varanda vake vaviri, vakazvitakurira pamberi pake

5:24b.2KI.005.024 Zvino wakati asvika pachikomo, akazvitora pamaoko avo, akazviviga mumba, akadzosa vanhu, vakaenda havo.

5:25b.2KI.005.025 Ipapo akapinda, akamira pamberi patenzi wake. Erisha akati kwaari, Wabvepiko, Gehazi? Iye akati, Muranda wenyu wakanga achingova pano hake.

5:26b.2KI.005.026 Iye akati kwaari, moyo wangu hauna kuenda newe here nguva iya murume achidzoka pangoro kuzosangana newe? Ko ndiyo nguva yokugamuchira mari, nokugamuchira nguvo, neminda yemiorivhi, neminda yemizambiringa, namakwai nenzombe, navaranda navarandakadzi here.

5:27b.2KI.005.027 Naizvozvo maperembudzi aNaamani achakunamatira. iwe navana vako nokusingaperi. Ipapo akabuda pamberi pake ava namaperembudzi, akati mbembe sechando.

6

6:1b.2KI.006.001 Zvino vanakomana vavaporofita vakati kuna Erisha, Tarirai zvino, apa patigere pamberi penyu pakamanikana, hapatiringani.

6:2b.2KI.006.002 Titenderei henyu tiende kwaJorodhani, mumwe nomumwe atore dandapo, tizvivakirepo patingagara. Iye akapindura, akati, Endai henyu.

6:3b.2KI.006.003 Zvino mumwe akati, Tinokumbira kuti imi mutende kuendawo navaranda venyu. Akapindura akati, Ndichaenda.

6:4b.2KI.006.004 Naizvozvo akaenda navo. Vakati vasvika kwaJorodhani, vakatema matanda.

6:5b.2KI.006.005 Asi mumwe wakati achitema danda, demo ndokuwira mumvura; akadanidzira, achiti, Haiwa! Tenzi wangu! Nokuti rakanga rakumbirwa.

6:6b.2KI.006.006 Munhu waMwari akati, rawirepiko? Akamuratidza parakanga rawira. Erisha akatema rutanda, akarukandirako, akapapamadza demo.

6:7b.2KI.006.007 Akati, Chiritora hako. Iye akatambanudza ruoko rwake, akaritora. VaSiria vanopofumadzwa paSamaria

6:8b.2KI.006.008 Zvino mambo weSiria wakarwa navaIsiraeri; akarangana navaranda vake, akati, Matende angu anofanira kudzikwa pokuti nopokuti.

6:9b.2KI.006.009 Zvino munhu waMwari ndokutuma shoko kuna mambo waIsiraeri, akati, Chenjerai, murege kupfuura nopokuti, nokuti vaSiria voburukira ipapo.

6:10b.2KI.006.010 Ipapo mambo waIsiraeri akatuma vanhu ikoko kwaakaudzwa, nokunyeverwa nomunhu waMwari, akazvingwarirapo asingadaro kamwe nakaviri bedzi.

6:11b.2KI.006.011 Naizvozvo moyo wamambo weSiria wakanyauswa kwazvo pamusoro pechinhu ichi; akadana varanda vake, akati kwavari, Hamungandiratidzi here, kuti ndianiko pakati patiri unonzwana namambo waIsiraeri?

6:12b.2KI.006.012 Mumwe wavaranda vake akati, Kwete, ishe wangu mambo, asi Erisha muporofita, ari pakati paIsiraeri, ndiye unoudza mambo waIsiraeri mashoko amunotaura muimba yenyu yomukati.

6:13b.2KI.006.013 Akati, Endai mundotarira kwaari, nditume vanhu kuzomutora. Akaudzwa, zvichinzi, Uri paDhotani.

6:14b.2KI.006.014 Naizvozvo akatumirako mabhiza, nengoro, nehondo huru; vakafamba usiku, vakakomba guta.

6:15b.2KI.006.015 Zvino muranda womunhu waMwari wakati amuka mangwanani, akabuda, ndokuona hondo namabhiza nengoro zvakakomba guta. Muranda wake akati kwaari, Haiwa! Tenzi wangu, tichadiniko?

6:16b.2KI.006.016 Iye akapindura, akati, Usatya hako, nokuti vari kwatiri vanopfuura vari kwavari pakuwanda.

6:17b.2KI.006.017 Zvino Erisha akanyengetera, akati, Jehovha, svinudzai henyu meso ake, awone. Ipapo Jehovha akasvinudza meso ejaya, akaona gomo rizere namabhiza, nengoro dzomoto zvakanga zvakakomba Erisha.

6:18b.2KI.006.018 Zvino vakati vachiburukira kwaari, Erisha akanyengetera kuna Jehovha, akati, Dorovai vanhu ava noupofu. Jehovha akavarova noupofu, sezvakanga zvarehwa naErisha.

6:19b.2KI.006.019 Erisha akati kwavari, Haizi iyo nzira, uye guta iri harizi iro; nditeverei ini, ndikuisei kumunhu wamunotsvaka. Akaenda navo Samaria.

6:20b.2KI.006.020 Vakati vasvika Samaria, Erisha akati, Jehovha, svinudzai meso avanhu ava, vawone. Jehovha akasvinudza meso avo, vakaona kuti vava mukati meSamaria.

6:21b.2KI.006.021 Zvino mambo waIsiraeri wakati achivaona, akati kuna Erisha, Baba vangu, ndovauraya here? Ndovauraya here?

6:22b.2KI.006.022 Iye akapindura, akati, Usavauraya; ko ungavauraya vawakatapa nomunondo wako nouta hwako here? Gadzika chingwa nemvura pamberi pavo, vadye, vanwe, vaende kuna tenzi wavo.

6:23b.2KI.006.023 Iye akavagadzirira zvokudya zvizhinji; zvino vakati vadya nokunwa, akavaendisa, vakadzokera kuna tenzi wavo. Zvino hondo dzavaSiria hadzina kuzopindazve munyika yaIsiraeri. Bhenihadhadhi anokomba Samaria, asi anokundwa

6:24b.2KI.006.024 Shure kwaizvozvo, Bhenihadhadhi mambo weSiria akaunganidza hondo yake yose, akandokomba Samaria.

6:25b.2KI.006.025 Nzara huru ikavapo paSamaria; nokuti vakarikomba kusvikira musoro wembongoro uchitengeswa namashekeri esirivha ana makumi masere, nechitswanda chiduku chamatoto enjiva chichitengeswa namashekeri esirivha mashanu.

6:26b.2KI.006.026 Zvino mambo waIsiraeri wakati achipfuura napamusoro porusvingo, mumwe mukadzi akadanidzira kwaari, akati, Ndibatsireiwo ishe wangu mambo!

6:27b.2KI.006.027 Iye akati, Kana Jehovha asingakubatsiri, ini ndingakubatsira neiko? Nezvinobva paburiro kana pachisviniro chewaini kanhi?

6:28b.2KI.006.028 Mambo akati kwaari, Chiiko chinokunetsa? Akapindura, akati, Mukadzi uyu wakati kwandiri, Uya nomwanakomana wako, timudye nhasi, mangwana tigodya mwanakomana wangu.

6:29b.2KI.006.029 Naizvozvo takabika mwanakomana wangu, tikamudya; fume mangwana ndikati kwaari, Uya nomwanakomana wako, timudye, iye ndokuvanza mwanakomana wake.

6:30b.2KI.006.030 Ipapo mambo wakati achinzwa mashoko omukadzi, akabvarura nguvo dzake; (zvino wakanga achifamba naparusvingo;) vanhu vakatarira, vakaona kuti wakafuka magumbu mukati pamuviri wake.

6:31b.2KI.006.031 Ipapo akati, Mwari ngaandirove, arambe achidaro, kana musoro waErisha mwanakomana waShafati ukaramba uri pamusoro pake nhasi.

6:32b.2KI.006.032 Asi Erisha wakanga agere mumba make, vakuru vagerewo naye; mambo akatuma munhu kuzomutungamirira; asi nhume ichigere kusvika kwaari, akati kuvakuru, Munoona here kuti mwana uyu womuurayi watuma munhu kuzobvisa musoro wangu? Tarirai, kana nhume ichisvika, mupfige mukova, mutsigirire mukova; kutsika kwetsoka dzatenzi wake hakunzwiki shure kwake here?

6:33b.2KI.006.033 Zvino wakati achitaurirana navo, nhume ikaburukira kwaari; iye akati, Tarirai, chakaipa ichi chinobva kuna Jehovha; ndichamirireiko Jehovha?

7

7:1b.2KI.007.001 Erisha akati, Inzwai shoko raJehovha, Zvanzi naJehovha, Mangwana nenguva ino, chiyero chimwe choupfu hwakatsetseka chichatengeswa neshekeri rimwe, nezviyero zviviri zvebhari neshekeri rimwe pasuo reSamaria.

7:2b.2KI.007.002 Zvino mukuru uyo, mambo waakanga akasendama paruoko rwake, akapindura munhu waMwari, akati, Tarirai, kunyange Jehovha akaita mahwindo kudenga, chinhu ichi chingaitika here? Erisha akati, Tarira, uchazviona nameso ako, asi haungazvidyi.

7:3b.2KI.007.003 Zvino kwakanga kuna varume vana vaiva namaperembudzi kunze kwesuo; ivo vakataurirana, vakati, Tinogarireiko pano kusvikira tafa?

7:4b.2KI.007.004 Kana tikati, Tichapinda muguta, nzara huru iri muguta, tichandofiramo; kana tikagara pano, tichafawo. Naizvozvo zvino hendei tiende hedu kuhondo dzavaSiria; kana vakatirega tiri vapenyu, tararama hedu; kana vakatiuraya, tafa hedu.

7:5b.2KI.007.005 Ipapo vakasimuka mambakwedza, vakaenda kumisasa yavaSiria; vakati vasvika kumisasa yokumudzivo yavaSamaria, vakawana kusina munhu.

7:6b.2KI.007.006 Nokuti Jehovha wakanga anzwisa hondo yavaSiria kutinhira kwengoro, nokutinhira kwamabhiza, kuri kutinhira kwehondo huru; vakataurirana, vakati, Tarirai, mambo waIsiraeri wakakoka madzimambo avaHiti namadzimambo avaIjipiti kuzorwa nesu.

7:7b.2KI.007.007 Naizvozvo vakamuka mambakwedza, vakasiya matende avo, namabhiza avo, namahesera avo, musasa wose wakangodaro, vakatiza kuti vararame.

7:8b.2KI.007.008 Zvino vaya vaiva namaperembudzi vakati vachisvika kumisasa yokumidzivo, vakapinda patende rimwe, vakadya nokunwa, vakatoramo sirivha nendarama nenguvo, vakandozviviga; vakadzokazve, vakapinda mune rimwe tende, vakatora zvakanga zvirimowo, vakandozviviga.

7:9b.2KI.007.009 Ipapo vakataurirana, vakati, Hatiiti zvakanaka; nhasi izuva reshoko rakanaka, asi isu tinongonyarara hedu; kana tikanonoka kusvikira kwaedza, tichavingwa nokurohwa; naizvozvo hendei zvino, tindoudza imba yamambo.

7:10b.2KI.007.010 Naizvozvo vakaenda vakadanidzira kuvatariri vesuo reguta, vakavaudza, vakati kwaari, Takasvika kumisasa yavaSiria, tikawana kusisina munhupo, kunyange inzwi romunhu, asi mabhiza akasungirwa, namahesera akasungirwa, namatende akangodaro.

7:11b.2KI.007.011 Ipapo vatariri vesuo vakadanidzira, vakaudza vomumba mamambo mukati.

7:12b.2KI.007.012 Mambo akamuka pakati pousiku, akati kuvaranda vake, Ndichakuudzai zvataitirwa navaSiria. Vanoziva kuti tine nzara; naizvozvo vakabuda pamisasa vakandovanda kusango, vachiti, Kana vakabuda muguta, tichavabata vari vapenyu, isu tigopinda muguta.

7:13b.2KI.007.013 Ipapo mumwe muranda wake akapindura, akati, Vamwe ngavatore mabhiza mashanu kuna akasara, akasiyiwa muguta, (tarirai, vakafanana navamwe vaIsiraeri vazhinji vakasara imomo; tarirai vakafananawo navamwe vaIsiraeri vazhinji vatoparadzwa havo;) tivatume, tione.

7:14b.2KI.007.014 Naizvozvo vakatora ngoro mbiri namabhiza adzo, mambo akatuma vanhu kuzotevera hondo yavaSiria, akati, Endai, mundoona.

7:15b.2KI.007.015 Ivo vakaenda, vakavatevera kusvikira kwaJorodhani, vakawana nzira yose izere nenguvo, nenhumbi, dzakanga dzarashwa navaSiria nokumhanya kwavo. Nhume dzikadzoka, dzikaudza mambo.

7:16b.2KI.007.016 Ipapo vanhu vakabuda, vakapamba misasa yavaSiria. Naizvozvo chiyero choupfu hwakatsetseka chakatengeswa neshekeri rimwe, nezvi yero zviviri zvebhari neshekeri rimwe, sezvakanga zvarehwa naJehovha.

7:17b.2KI.007.017 Mambo akagadza mukuru uya, waakanga akasendama paruoko rwake, kuti arindire suo; vanhu vakamutsikirira musuo, akafa sezvakanga zvarehwa nomunhu waMwari, wakataura shoko iro musi wakaburukira mambo kwaari.

7:18b.2KI.007.018 Zvikaitika sezvakanga zvataurwa nomunhu waMwari kuna mambo, zvaakati, Mangwana nenguva ino zviyero zviviri zvebhari zvichatengeswa neshekeri, nechiyero chimwe choupfu hwakatsetseka neshekeri pasuo reSamaria;

7:19b.2KI.007.019 mukuru uyo akapindura munhu waMwari, akati, Zvino tarira, kunyange Jehovha akaita mahwindo kudenga, chinhu ichi chakadai chingaitwa here? Iye akati Tarira, uchazviona nameso ako, asi haungazvidyi.

7:20b.2KI.007.020 Ndizvo zvaakazoitirwa; nokuti vanhu vakamutsikirira musuo, akafa.

8

8:1b.2KI.008.001 zvino Erisha wakataura nomukadzi uya waakanga amutsira mwanakomana wake, akati, Simuka uende, iwe neimba yako, undogara kwaunogona kugara hako; nokuti Jehovha wakaraira nzara; ichava panyika makore manomwe.

8:2b.2KI.008.002 Zvino mukadzi akasimuka, akaita sezvaakaudzwa nomunhu waMwari, akaenda neveimba yake, akandogara panyika yavaFirisitia makore manomwe.

8:3b.2KI.008.003 Zvino makore iwayo akati apera, mukadzi ndokudzoka kunyika yavaFirisitia; akaenda kuna mambo kundochema pamusoro peimba yake nomunda wake.

8:4b.2KI.008.004 Zvino mambo wakanga achitaurirana naGehazi muranda womunhu waMwari, mambo akati, Dondirondedzerawo zvinhu zvose zvikuru, zvakaitwa naErisha.

8:5b.2KI.008.005 Zvino wakati achaudza mambo kuti wakamutsa wakafa, iye mukadzi wakanga amutsirwa mwanakomana wake, akachema kuna mambo pamusoro peimba yake nomunda wake. Ipapo Gehazi akati, Ishe wangu mambo, ndiyeyu mukadzi, noyuyu ndiye mwanakomana wake, wakamutswa naErisha.

8:6b.2KI.008.006 Mambo wakati abvunza mukadzi, iye akamuudza. Naizvozvo mambo wakaraira mumwe mukuru pamusoro pake, akati, Mudzosere zvose zvaiva zvake, nemichero yomunda, kubva pazuva raakabva naro panyika kusvikira zvino. Hazaeri anotevera Bhenihadhadhi paushe hweSiria

8:7b.2KI.008.007 Zvino Erisha wakasvika Dhamasiko Bhenihadhadhi mambo weSiria wakanga achirwara, akaudzwa, zvichinzi, Munhu waMwari wasvika pano.

8:8b.2KI.008.008 Ipapo mambo akati kuna Hazaeri, Tora chipo muruoko rwako, undosangana nomunhu waMwari, ubvunze Jehovha naye, uti, Ndichapora pakurwara uku here?

8:9b.2KI.008.009 Naizvozvo Hazaeri akandosangana naye, akaenda nechipo chezvose zvakanga zvakanaka paDhamasiko, mutoro wakaringana makamera ana makumi mana, akasvika akamira pamberi pake, akati, Mwanakomana wenyu Bhenihadhadhi mambo weSiria, wakandituma kwamuri, achiti, Ndichapora here pakurwara uku?

8:10b.2KI.008.010 Erisha akati kwaari, Enda, undoti kwaari, Zvirokwazvo haangapori; asi Jehovha wakandiratidza kuti zvirokwazvo iye uchafa.

8:11b.2KI.008.011 Akaramba akamunananidza kusvikira anyara; munhu wa Mwari akachema.

8:12b.2KI.008.012 Ipapo Hazaeri akati, Munochemeiko, ishe wangu? Akapindura, akati, Nokuti ndinoziva zvakaipa zvauchaitira vana vaIsiraeri; uchapisa nhare dzavo, uchauraya majaya avo nomunondo, uchapwanya pwere dzavo, uchatumbura vakadzi vavo vane mimba.

8:13b.2KI.008.013 Hazaeri akati, Ko muranda wenyu chinyiko, iyo imbwa hayo, kuti ndiite chinhu ichi chikuru chakadai? Erisha akapindura, akati, Jehovha wakandizivisa, kuti iwe uchava mambo weSiria.

8:14b.2KI.008.014 Ipapo akabva kuna Erisha, akaenda kuna tenzi wake; iye akati kwaari, Erisha wati kudiniko kwauri? Akapindura, akati, Wakandiudza kuti zvirokwazvo muchapora henyu.

8:15b.2KI.008.015 Zvino fume mangwana akatora jira, akarinyika mumvura, ndokumufumbira chiso, naizvozvo akafa; Hazaeri akamutevera paushe. Jehoramu naAhazia madzimambo aJudha

8:16b.2KI.008.016 Zvino negore rechishanu raJoramu mwanakomana waAhabhi, mambo waIsiraeri, Jehoshafati ari mambo waJudha, Jehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo waJudha, akatanga kubata ushe.

8:17b.2KI.008.017 Iye akatanga kubata ushe ava namakore makumi matatu namaviri; akabata ushe paJerusaremu makore masere.

8:18b.2KI.008.018 Akafamba nenzira yamadzimambo aIsiraeri, sezvakaita imba yaAhabhi; nokuti mukunda waAhabhi waiva mukadzi wake; akaita zvakaipa pamberi paJehovha.

8:19b.2KI.008.019 Kunyange zvakadaro Jehovha wakanga asingadi kuparadza Judha, nokuda kwaDhavhidhi muranda wake, nokuti wakanga amupikira, kuti uchamupa mwenje wavana vake nguva dzose.

8:20b.2KI.008.020 Zvino namazuva ake vaEdhomu vakamukira vaJudha, vakazvigadzira mambo.

8:21b.2KI.008.021 Ipapo Joramu akaenda Zairi, ane ngoro dzake dzose; akamuka usiku, akaparadza vaEdhomu vakanga vakamukomba navakuru vengoro; vanhu vakatizira kumatende avo.

8:22b.2KI.008.022 Naizvozvo vaEdhomu vakamukira vaJudha, kusvikira zuva ranhasi. Ipapo Ribhina akavamukirawo nenguva iyo.

8:23b.2KI.008.023 Mamwe mabasa aJoramu, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?

8:24b.2KI.008.024 Joramu akavata namadzibaba ake, akavigwa kuna madzibaba ake muguta raDhavhidhi; Ahazia mwanakomana wake akamutevera paushe.

8:25b.2KI.008.025 Negore regumi namaviri raJoramu mwanakomana waAhabhi mambo walsiraeri, Ahazia mwanakomana waJehoramu mambo waJudha, akatanga kubata ushe.

8:26b.2KI.008.026 Ahazia wakanga ana makore ana makumi maviri namaviri pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu gore rimwe. Zita ramai vake rakanga riri Ataria, mukunda waOmiri mambo welsiraeri.

8:27b.2KI.008.027 Iye wakafamba nenzira yeimba yaAhabhi, akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaitwa neimba yaAhabhi; nokuti wakanga ari mukuwasha weimba yaAhabhi.

8:28b.2KI.008.028 Akaenda naJoramu mwanakomana waAhabhi kundorwa naHazaeri mambo weSiria paRamotiGiriyadhi; vaSiria vakakuvadza Joramu.

8:29b.2KI.008.029 Mambo Joramu akadzokera Jezereeri kuti arapwe mavanga ake aakatemwa navaSiria paRama, nguva yaakarwa naHazaeri mambo weSiria. Ipapo Ahazia mwanakomana waJehoramu mambo waJudha akaenda kundoona Joramu mwanakomana waAhabhi paJezereeri, nokuti wakanga achirwara.

9

9:1b.2KI.009.001 Zvino muporofita Erisha wakadana mumwe wavanakomana vavaporofita, akati kwaari, Chizvisunga chiwuno chako, utore chinu ichi chamafuta muruoko rwako uende RamotiGiriyadhi.

9:2b.2KI.009.002 Zvino kana wasvikapo, utsvakepo Jehu mwanakomana waJehoshafati mwanakomana waNimishi; upinde mumba, ugomuraira asimuke pakati pehama dzake, apinde muimba yomukati.

9:3b.2KI.009.003 Ipapo utore chinu chamafuta, ugoadira pamusoro wake, uchiti, Zvanzi naJehovha, ndakuzodza, kuti uve mambo welsiraeri. Ipapo uzarure mukova, utize, usanonoka.

9:4b.2KI.009.004 Naizvozvo jaya, iro jaya romuporofita, rakaenda RamotiGiriyadhi.

9:5b.2KI.009.005 Wakati asvikapo, akawana vakuru vehondo vagere pasi; akati, Ndine shoko nemi, imi mukuru. Jehu akati, Kunani, kwatiri tose? Iye akati, Kunemi, imi mukuru.

9:6b.2KI.009.006 Ipapo akasimuka, akapinda mumba; akadira mafuta pamusoro wake, akati kwaari, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, Ndakakuzodza uve, mambo wavanhu vaJehovha, ivo vaIsiraeri.

9:7b.2KI.009.007 Uchaparadza imba yatenzi wako Ahabhi, kuti nditsive ropa ravaranda vose vaJehovha kuna Izebheri.

9:8b.2KI.009.008 Nokuti vose veimba yaAhabhi vachaparadzwa,ndichaparadza kuna Ahabhi vana vavakomana vose, vakuru navaduku pakati palsiraeri.

9:9b.2KI.009.009 Ndichaita imba yaAhabhi seimba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, uye seimba yaBhaasha mwanakomana waAhija.

9:10b.2KI.009.010 Imbwa dzichadya Izebheri panyika yeJezereeri, hakuna uchamuviga. Ipapo akazarura mukova, ndokutiza.

9:11b.2KI.009.011 Zvino Jehu akabuda kuvaranda vashe wake, mumwe akati kwaari, Kuno mufaro here? Benzi iri rakavingeiko kwauri? Iye akati kwavari, Munoziva henyu munhu uyu, nokutaura kwake.

9:12b.2KI.009.012 Ivo vakati, Inhema! Tiudze. Iye akati, Wandiudza zvokuti nezvokuti, akati, Zvanzi naJehovha, Ndakakuzodza uve mambo waIsiraeri.

9:13b.2KI.009.013 Ipapo vakakurumidza, mumwe nomumwe akatora nguvo yake, akaiisa pasi pake pamusoro pezvikwiriso, vakaridza hwamanda, vakati, Jehu ndimambo!

9:14b.2KI.009.014 Naizvozvo Jehu mwanakomana waJehoshafati, mwanakomana waNimishi, akamukira Joramu. (Zvino Joramu wakanga achidzivirira RamotiGiriyadhi, iye navaIsiraeri vose, nokuda kwaHazaeri mambo weSiria.

9:15b.2KI.009.015 Asi mambo Joramu wakanga adzokera Jezereeri kuzorapwa mavanga ake, aakanga atemwa navaSiria, nguva yaakarwa naHazaeri mambo weSiria). Ipapo Jehu akati, Kana muchitenda nazvo, ngakurege kuva nomunhu unotiza muguta, kundoudza izvozvo paJezereeri.

9:16b.2KI.009.016 Naizvozvo Jehu akafamba nengoro, akaenda Jezereeri, nokuti Joramu wakanga avetepo. Zvino Ahazia mambo waJudha wakanga aendako kuzoona Joramu.

9:17b.2KI.009.017 Zvino nharirire yakanga imire pamusoro peshongwe yeJezereeri, ikaona boka raJehu richiuya, ikati, Ndinoona boka ravanhu. Joramu akati, Danai mutasvi webhiza, mumutume andosangana navo, ati, Kunorugare here?

9:18b.2KI.009.018 Naizvozvo mumwe akakwira bhiza, akandosangana naye, akati, Zvanzi namambo, Kuno rugare here? Jehu akati, Uneiko norugare? Enda shure kwangu. Ipapo nharirire yakataura, ikati, Nhume yakasvika kwavari, asi haidzokizve.

9:19b.2KI.009.019 Zvino akatuma wechipiri, wakanga akatasva bhiza, iye akasvika kwaari, akati, Zvanzi namambo, Kuno rugare here? Jehu akapindura, akati, Uneiko norugare? Enda shure kwangu.

9:20b.2KI.009.020 Zvino nharirire yakataura, ikati, Wakasvika hake kwavari, asi haadzokizve; uye kufambisa kwakafanana nokufambisa kwaJehu mwanakomana waNimishi, nokuti unofambisa zvinotyisa.

9:21b.2KI.009.021 Ipapo Joramu akati, Sungai ngoro! Vakasunga ngoro yake. Ipapo Joramu mambo welsiraeri, naAhazia mambo waJudha vakabuda kundosangana naJehu, mumwe nomumwe nengoro yake, vakamuwana pabindu raNabhoti muJezereeri.

9:22b.2KI.009.022 Zvino Joramu wakati achiona Jehu, akati, Kuno rugare here, nhai Jehu? Iye akapindura, akati, Rugare rwei! Kana ufeve hwamai vako Izebheri nouruoyi hwavo huchiripo huzhinji hwakadai!

9:23b.2KI.009.023 Ipapo Joramu akadzosa ngoro yake, akatiza, akati kuna Ahazia, Tanyengerwa Ahazia!

9:24b.2KI.009.024 Ipapo Jehu akahwembura uta hwake nesimba rose, akapfura Joramu pakati pamafudzi ake, museve ndokubuda napamoyo wake, akawira mungoro yake.

9:25b.2KI.009.025 Zvino Jehu akati kuna Bhidhikari, mukuru wake wehondo, Musimudze, umurashire pabindu romunda waNabhoti muJezereeri; nokuti urangarire kuti Jehovha wakataura izvi pamusoro pake, musi watakatasva mabhiza isu vaviri tichitevera Ahabhi baba vake.

9:26b.2KI.009.026 Zvanzi naJehovha, Zvirokwazvo, ndakaona zuro ropa raNabhoti, neropa ravanakomana vake; ini ndichakutsiva pabindu iri romunda, ndizvo zvinotaura Jehovha. Naizvozvo zvino, mutore umukandire pabindu romunda, sezvakataurwa naJehovha.

9:27b.2KI.009.027 Asi Ahazia mambo waJudha, wakati achizviona, akatiza nenzira yakapfuura napaimba yomunda, Jehu akamutevera, akati, Muuraye naiyewo mungoro. Vakamubaya pajinga pegomo reGuri riri paIbhureami. Akatizira Megidho, akafirapo.

9:28b.2KI.009.028 Varanda vake vakamutakurira Jerusaremu nengoro, vakamuviga pahwiro hwake kuna madzibaba ake muguta raDhavhidhi. :.

9:29b.2KI.009.029 Ahazia akatanga kubata ushe hwaJudha pagore regumi nerimwe raJoramu mwanakomana waAhabhi.

9:30b.2KI.009.030 Zvino Jehu wakati achisvika paJezereeri, Izebheri akazvinzwa; akazodza kumeso kwake, nokushongedza musoro wake, akatarira napahwindo.

9:31b.2KI.009.031 Zvino Jehu akati achipinda napasuo, akati, Kunorugare here, nhai iwe Zimiri, muurayi watenzi wako?

9:32b.2KI.009.032 Iye akatarira kumusoro kuhwindo, akati, Ndianiko unonzwana neni? Ndianiko? Ipapo varanda vaviri kana vatatu vakatarira kwaari napahwindo.

9:33b.2KI.009.033 Akati, Musundire pasi. Naizvozvo vakamusundira pasi, rimwe ropa rake rikachambwadzira pamadziro napamabhiza, akamutsika namakumbo ake.

9:34b.2KI.009.034 Zvino wakati apinda, akadya nokunwa, akati, Zvino chiendai mundotarira mukadzi uyo akatukwa, mumuvige, nokuti mukunda wamambo.

9:35b.2KI.009.035 Vakaenda kundomuviga, asi havana kuwana chinhu, asi dehenya rake, netsoka, nezvanza zvamaoko ake.

9:36b.2KI.009.036 Naizvozvo vakadzoka vakamuudza. Iye akati, Ndiro shoko raJehovha, raakataura nomuranda wake Eria muTishibhi, zvaakati, Imbwa dzichadya nyama yaIzebheri panyika yeJezereeri;

9:37b.2KI.009.037 uye chitunha chaIzebheri chichava somupfudze pamusoro pomunda panyika yeJezereeri; naizvozvo havangati, uyu ndiye Izebheri.

10

10:1b.2KI.010.001 Zvino Ahabhi wakanga ana vanakomana vana makumi manomwe paSamaria. Jehu akanyora mwadhi, akadzitumira Samaria kuvabati veJezereeri, ivo vakuru, nokuvareri vavana vaAhabhi, akati,

10:2b.2KI.010.002 Zvino kana mwadhi iyi ichisvika kwamuri, vanakomana vatenzi wangu zvavariko kwamuri, nengoro namabhiza zviriko kwamuri, neguta rakakombwa norusvingo, nenhumbi dzokurwa nadzo;

10:3b.2KI.010.003 chizvitsaurirai mwanakomana watenzi wenyu wakaisvonaka wakakwana kukunda vamwe, mumugadze pachigaro choushe chababa vake, murwire imba yatenzi wenyu.

10:4b.2KI.010.004 Asi ivo vakanga vachitya kwazvo, vakati, Madzimambo maviri akanga asingagoni kumukunda, zvino isu tichamukunda seiko?

10:5b.2KI.010.005 Zvino mutariri weimba nomutariri weguta, navakuru, navareri vavana vakatuma shoko kuna Jehu, vachiti, Tiri varanda venyu, tichaita zvose zvamunotiraira; hatingagadzi mumwe mambo; itai henyu sezvamunoda.

10:6b.2KI.010.006 Ipapo wakanyora mwadhi rwechipiri kwavari, akati, Kana mukanzwana neni, kana mukateerera inzwi rangu, uyai kwandiri Jezereeri mangwana nenguva ino nemisoro yavarume, ivo vanakomana vatenzi wenyu. Zvino vanakomana vamambo, ivo vanhu vana makumi manomwe, vaiva kuvakuru veguta, vaivarera.

10:7b.2KI.010.007 Zvino mwadhi iyo yakati ichisvika kwavari, vakabata vanakomana vamambo, vakavauraya, ivo vanhu vana makumi manomwe, vakaisa misoro yavo mumatengu, ndokuitumira kwaari Jezereeri.

10:8b.2KI.010.008 Nhume ikasvika, ikamuudza, ikati, Vauya nemisoro yavanakomana vamambo. Iye akati, Itai mirwi miviri nayo, muiise pavanopinda napo pasuo, kusvikira mangwana.

10:9b.2KI.010.009 Fume mangwana akabuda, akandomirapo, akati kuvanhu vose, Imi hamune mhosva henyu; tarirai, ndini ndamukira tenzi wangu, ndikamuuraya; asi ndianiko auraya ava vose?

10:10b.2KI.010.010 Zvino muzive kuti hakuna shoko rimwe raJehovha richawira pasi, rakataurwa naJehovha pamusoro peimba yaAhabhi; nokuti Jehovha wakaita zvaakataura nomuranda wake Eria.

10:11b.2KI.010.011 Naizvozvo Jehu akauraya vose vakanga vasara veimba yaAhabhi paJezereeri, navanhu vake vakuru vose, neshamwari dzake, navapirisiti vake, kusvikira asina kumusiyira nomumwe.

10:12b.2KI.010.012 Zvino akasimuka, akabva, akaenda Samaria. Wakati asvika paimba yavafudzi panzira, pavaiveura makwai,

10:13b.2KI.010.013 Jehu akasangana navanununa vaAhazi mambo waJudha, akati, Ndimi aniko? Ivo vakapindura, vakati, Tiri vanununa vaAhazia, toburuka kundokwazisa vana vamambo navana vavahosi.

10:14b.2KI.010.014 Iye akati, Vabatei vari vapenyu. Vakavabata vari vapenyu, vakavauraya padziva reimba pavaiveura makwai, varume vaiva vana makumi mana navaviri; haana kusiya mumwe wavo.

10:15b.2KI.010.015 Zvino wakati abvapo, akasangana naJehonadhabhi mwanakomana waRekabhu, wanga achiuya kuzosangana naye; akamukwazisa, akati kwaari, moyo wako wakarurama here, sokururama kwomoyo wangu kwauri? Jehonadhabhi akapindura, akati, Wakarurama hawo. Kana zvakadaro, ndibate ruoko rwangu. Iye akabata ruoko rwake, ndokumukwidza mungoro maakanga ari.

10:16b.2KI.010.016 Akati, Hendei, undoona kushingaira kwandinoshingairira Jehovha nako. Naizvozvo vakamufambisa mungoro yake.

10:17b.2KI.010.017 Wakati asvika Samaria, akauraya vose vakanga vasara vaAhabhi muSamaria, kusvikira amuparadza, neshoko raJehovha rakanga rarehwa naEria.

10:18b.2KI.010.018 Ipapo Jehu akaunganidza vanhu vose, akati kwavari, Ahabhi wakashumira Bhaari zvishoma, asi Jehu uchamushumira kwazvo.

10:19b.2KI.010.019 Naizvozvo zvino chidanai vaporofita vose vaBhaari, navose vanonamata kwaari, navapirisiti vake vose, vauye kwandiri; ngakurege kushaikwa kunyange nomumwe; nokuti ndinoda kubayira Bhaari chibayiro chikuru; Ani naani unoshaikwa haangararami. Asi Jehu wakaita izvozvo namano, achida kuuraya vanamati vaBhaari.

10:20b.2KI.010.020 Zvino Jehu akati, Tsaurirai Bhaari zuva romutambo mukuru. Vakaparidza izvozvo.

10:21b.2KI.010.021 Zvino Jehu akatuma nhume pakati paIsiraeri pose, vose vanamati vaBhaari vakauya; hakuna munhu wakasara, akasauya. Vakapinda mumba maBhaari, imba yaBhaari ikazara, kusvika kumadziro nokumadziro.

10:22b.2KI.010.022 Akati kumutariri wenguvo, Vigira vanamati vaBhaari vose nguvo. Iye akavavigira nguvo.

10:23b.2KI.010.023 Ipapo Jehu akapinda mumba maBhaari, anaJehonadhabhi mwanakomana waRekabhi, akati kuvanamati vaBhaari, Tsvakai, mutarire kwazvo kuti pano pakati penyu parege kuva nomuranda mumwe waJehovha, asi vanamati vaBhaari bedzi.

10:24b.2KI.010.024 vakapinda kundobayira zvibayiro nezvipiriso zvinopiswa. Zvino Jehu wakanga araira varume vana makumi masere panze, achiti, Kana mumwe wavarume vandinoisa pamaoko enyu akapukunyuka, munhu unomurega akapukunyuka, uchamufira.

10:25b.2KI.010.025 Zvino wakati apedza kubayira chipiriso chinopiswa Jehu akati kuvarindi nokuvakuru, Pindai, muvauraye; musatendera mumwe kubuda. Ivo vakavauraya neminondo inopinza; varindi navakuru vakavarashira kunze, vakaenda kuguta reimba yaBhaari.

10:26b.2KI.010.026 Ipapo vakabudisa mbiru dzaiva mumba maBhaari, vakadzipisa.

10:27b.2KI.010.027 Vakaputsawo mbiru yaBhaari, vakaputsawo imba yaBhaari, vakaiita imba yembudzi kusvikira nhasi.

10:28b.2KI.010.028 Naizvozvo Jehu wakaparadza Bhaari pakati paIsiraeri.

10:29b.2KI.010.029 Asi Jehu haana kurega kutevera zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, zvemhuru dzendarama dzaiva paBhetieri, nedzaiva paDhani.

10:30b.2KI.010.030 Zvino Jehovha akati kuna Jehu, Zvawakaita zvakanaka ukaita zvakarurama pamberi pangu, ukaitira imba yaAhabhi zvose zvakanga zviri mumoyo mangu, zvino vana vako vorudzi rwechina vachagara pachigaro choushe hwaIsiraeri.

10:31b.2KI.010.031 Asi Jehu haana kurangarira kufamba nomoyo wose nomurayiro waJehovha Mwari waIsiraeri; haana kurega zvivi zvaJerobhoamu zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.

10:32b.2KI.010.032 Pamazuva iwayo Jehovha wakatanga kutapudza Isiraeri; Hazaeri akavakunda panyika yose yaIsiraeri,

10:33b.2KI.010.033 kubva kuna Jorodhani zvichienda mabvazuva, nenyika yose yaGiriyadhi, neyavaGadhi, neyavaRubheni, neyavaManase, kubva paAroeri pamupata weArinoni, ndiro Giriyadhi neBhashani.

10:34b.2KI.010.034 Zvino mamwe mabasa aJehu, nezvose zvaakaita, nesimba rake rose, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?

10:35b.2KI.010.035 Jehu akavata namadzibaba ake, vakamuviga paSamaria, Jehoahazi mwanakomana wake akamutevera paushe.

10:36b.2KI.010.036 Nguva yakabata Jehu ushe hwaIsiraeri paSamaria aiva makore ana makumi maviri namasere.

11

11:1b.2KI.011.001 Zvino Ataria mai vaAhazia, wakati achiona kuti mwanakomana wake wafa, akasimuka, akaparadza vose vorudzi rwamambo.

11:2b.2KI.011.002 Asi Jehoshebha mukunda wamambo Joramu, hanzvadzi yaAhazia, wakatora Joashi mwanakomana waAhazia, akamuba pakati pavanakomana vamambo vaiurawa, iye nomureri wake, mumba mokuvata; vakamuvanza panaAtaria, naizvozvo haana kuurawa.

11:3b.2KI.011.003 Akagara naye akavanzwa mumba maJehovha makore matanhatu; Ataria akabata ushe panyika.

11:4b.2KI.011.004 Zvino negore rechinomwe Jehoyadha akatuma vanhu vakatora vakuru vamazana vavaKari navarindi vamambo, akauya navo kwaari mumba maJehovha, akaita sungano navo, akavapikisa mumba maJehovha, akavaratidza mwanakomana wamambo.

11:5b.2KI.011.005 Akavaraira, akati, Munofanira kuita kudai, Imi munopinda neSabata, chetatu chenyu munofanira kuva varindi veimba yama mbo;

11:6b.2KI.011.006 chimwe chetatu munofanira kumira pasuo rinonzi Suri; chimwe cheta tuzve vanofanira kumira pasuo riri shure kwavarindi vamambo; saizvozvo munofanira kurinda imba, nokuidzivirira.

11:7b.2KI.011.007 Mapoka enyu maviri, imi mose munobuda neSabata, munofanira kurinda imba yaJehovha muchikomba mambo.

11:8b.2KI.011.008 Mukombe mambo, mumwe nomumwe akabata nhumbi dzokurwa nadzo muruoko rwake; Ani naani unopinda pakati pemisara, unofanira kuurawa; mugare namambo kana achibuda uye kana achipinda.

11:9b.2KI.011.009 Vakuru vamazana vakaita zvose zvavakarairwa nomupirisiti Jehoyadha; mumwe nomumwe akatora vanhu vake, ivo vaifanira kupinda neSabata, naivo vaifanira kubuda neSabata, vakasvika kumupirisiti Jehoyadha.

11:10b.2KI.011.010 mupirisiti akapa vakuru vamazana mapfumo nenhowo zvaiva zvamambo Dhavhidhi, zvakanga zviri mumba maJehovha.

11:11b.2KI.011.011 Zvino varindi vamambo vakamira mumwe nomumwe akabata nhumbi dzokurwa nadzo muruoko rwake, kubva kurutivi rworudyi rweimba kusvikira kurutivi rworuboshwe rweimba, napaaritari neimba, vakakomba mambo.

11:12b.2KI.011.012 Ipapo akabudisa mwanakomana wamambo, akamudzika korona, akamupa chipupuriro, vakamuita mambo, vakamuzodza; ndokuridza nhondo, vachiti; Mambo ngaararame!

11:13b.2KI.011.013 Zvino Ataria wakati achinzwa mheremhere yavarindi vamambo navanhu, akapinda kuvanhu mumba maJehovha.

11:14b.2KI.011.014 Akatarira, ndokuona mambo amire pambiru, netsika yavo, navakuru navakanga vane hwamanda vamire kuna mambo; vanhu vose venyika vakafara, vakaridza hwamanda. Ipapo Ataria akabvarura nguvo dzake, akadanidzira, achiti, Ndamukirwa, ndamukirwa!

11:15b.2KI.011.015 Zvino mupirisiti Jehoyadha akaraira vakuru vamazana, vairaira hondo, akati kwavari, Mubudisei pakati pemisara yavanhu; Ani naani unomutevera iye, munofanira kumuuraya nomunondo; nokuti mupirisiti wakati, Ngaarege kuurayiwa mukati meimba yaJehovha.

11:16b.2KI.011.016 Naizvozvo vakamudzivirira nzira, akaenda nenzira yaipinda mabhiza nayo kumba kwamambo, ndokuurayirwapo.

11:17b.2KI.011.017 Zvino Jehoyadha akaita sungano pakati paJehovha namambo navanhu, kuti vave vanhu vaJehovha; uyewo pakati pamambo navanhu.

11:18b.2KI.011.018 Vanhu vose venyika vakaenda kumba kwaBhaari, vakaiputsa; vakaputsa kwazvo aritari dzake nemifananidzo yake, vakauraya Matani mupirisiti waBhaari pamberi pearitari. mupirisiti akagadza vatariri paimba yaJehovha.

11:19b.2KI.011.019 Akatora vakuru vamazana, navaKari, navarindi vamambo, navanhu vose venyika, vakaburusa mambo paimba yaJehovha, vakaenda kumba kwamambo nenzira yesuo ravarindi vamambo. Iye akagara pachigaro choushe chamadzimambo.

11:20b.2KI.011.020 Naizvozvo vanhu vose venyika vakafara, guta rikanyarara; vakauraya Ataria nomunondo paimba yamambo.

11:21b.2KI.011.021 Jehoashi wakatanga kubata ushe ana makore manomwe.

12

12:1b.2KI.012.001 Zvino negore rechinomwe raJehu, Jehoashi wakatanga kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore makumi mana; zita ramai vake rakanga riri Zibhia weBheerishebha.

12:2b.2KI.012.002 Jehoashi akaita zvakanaka pamberi paJehovha mazuva ake ose, aakadzidziswa nawo nomupirisiti Jehoyadha.

12:3b.2KI.012.003 Kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa; vanhu vakaramba vachibayira zvibayiro nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira.

12:4b.2KI.012.004 Zvino Jehoashi akati kuvapirisiti, Mari yose yezvinhu zvakatsaurwa, inoiswa mumba maJehovha, mari yavanhu vakaverengwa, nemari yavose sezvavakatarirwa mumwe nomumwe, nemari yose, inoiswa mumba maJehovha nomumwe nomumwe nomoyo wake,

12:5b.2KI.012.005 vapirisiti ngavatore mari iyo, mumwe nomumwe kumuzikanwi wake, vagadzire zvakaputsika patemberi pose pose pavanowana pakaputsika.

12:6b.2KI.012.006 Asi negore ramakumi maviri namatatu ramambo Jehoashi vapirisiti vakanga vachigere kugadzira zvakaputsika paimba.

12:7b.2KI.012.007 Zvino mambo Jehoashi akadana mupirisiti Jehoyadha navamwe vapirisiti, akati kwavari, Munoregereiko kugadzira zvakaputsika paimba? Naizvozvo zvino chiregai kutora mari kuvazikanwi venyu, asi muibudisire zvakaputsika patemberi.

12:8b.2KI.012.008 Vapirisiti vakatenda kusatora mari kuvanhu, kunyange kugadzira zvakaputsika patemberi.

12:9b.2KI.012.009 Asi mupirisiti Jehoyadha wakatora bhokisi, akabvovora buri pachifunhiro charo, akarigadzika kurutivi rwearitari, kurudyi rwomunhu, kana achipinda paimba yaJehovha.

12:10b.2KI.012.010 Zvino vakati kana vaona kuti mari zhinji yavamo mubhokisi, munyori wamambo nomupirisiti mukuru ndokuuya, ndokuisa muhomwe, vachiverenga mari yakawanikwa mumba maJehovha.

12:11b.2KI.012.011 Vakaisa mari yakayerwa mumaoko avaibata basa iro, vaitarira temberi yaJehovha; zvino vairipira nayo vavezi navavaki vaibata patemberi yaJehovha,

12:12b.2KI.012.012 navaironga navaiveza mabwe, vakatenga matanda namabwe akavezwa okugadzirisa nawo zvakaputsika patemberi yaJehovha, nokuripira zvose zvaidikanwa kuzogadzirisa nazvo temberi.

12:13b.2KI.012.013 Asi havana kuitira temberi yaJehovha mikombe yesirivha, nembato dzemwenje, nembiya, nehwamanda, nemidziyo yendarama, nemidziyo yesirivha, nemari yakaiswa temberi yaJehovha,

12:14b.2KI.012.014 nokuti vakaiisa kuna vaibata basa, kuti vagadzirise temberi yaJehovha nayo.

12:15b.2KI.012.015 Uye havana kuzobvunza vanhu avo, vavaipa mari mumaoko avo, kuzoripira vaibata basa; nokuti ivo vaibata vakatendeka.

12:16b.2KI.012.016 Asi mari yezvipiriso zvemhosva, nemari yezvipiriso zvezvivi, hazvina kuiswa mumba maJehovha; yakapiwa vapirisiti.

12:17b.2KI.012.017 Zvino Hazaeri mambo weSiria wakaenda kundorwa neGati, akarikunda, Hazaeri akaringira chiso chake kuenda Jerusaremu.

12:18b.2KI.012.018 Asi Jehoashi mambo waJudha, wakatora zvinhu zvose zvakatsaurwa, zvakanga zvatsaurwa namadzibaba ake, Jehoshafati, naJehoramu, naAhazia, madzimambo aJudha, nezvinhu zvake zvose zvakatsaurwa, nendarama yose yakawanikwa pafuma yeimba yaJehovha neimba yamambo, akazvituma kuna Hazaeri mambo weSiria; iye akabva Jerusaremu.

12:19b.2KI.012.019 Mamwe mabasa aJoashi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?

12:20b.2KI.012.020 Zvino varanda vake vakasimuka, vakarangana, vakauraya Joashi paimba yaMiro, panzira inoburukira Sira.

12:21b.2KI.012.021 Nokuti Jozakari mwanakomana waShimeati, naJehozabhadhi mwanakomana waShomeri, varanda vake, vakamubaya, akafa; vakamuviga kumadzibaba ake muguta raDhavhidhi; Amazia mwanakomana wake akamutevera paushe.

13

13:1b.2KI.013.001 Zvino negore ramakumi maviri namatatu raJoashi mwanakomana waAhazia, mambo waJudha, Jehoahazi mwanakomana waJehu wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria, akaubata makore ane gumi namanomwe.

13:2b.2KI.013.002 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akatevera zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo; haana kutsauka kwazviri.

13:3b.2KI.013.003 Zvino Jehovha akatsamwira Isiraeri, akavaisa murowoko rwaHazaeri mambo weSiria, nomuruoko rwaBhenihadhadhi mwanakomana waHazaeri mazuva ose.

13:4b.2KI.013.004 Ipapo Jehoahazi akanyengetera kuna Jehovha, Jehovha akamunzwa; nokuti wakaona kutambudzwa kwaIsiraeri kwavakatambudzwa nako namambo weSiria.

13:5b.2KI.013.005 Asi Jehovha wakapa Isiraeri muponesi, vakasununguka pamaoko avaSiria; vana vaIsiraeri vakagara mumatende avo sakare.

13:6b.2KI.013.006 Kunyange zvakadaro havana kutsauka pazvivi zveimba yaJerobhoamu, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, asi vakaramba vachifamba mazviri; uye matanda okunamata nawo akaramba aripo paSamaria.

13:7b.2KI.013.007 Nokuti haana kusiyira Jehoahazi vanhu, asi vatasvi vamabhiza vana makumi mashanu, nengoro dzine gumi, navanhu vaifamba namakumbo vane zviuru zvine gumi; nokuti mambo weSiria wakavaparadza, akavaita seguruva rinotsikwa pasi.

13:8b.2KI.013.008 Mamwe mabasa aJehoahazi, nezvose zvaakaita, nesimba rake, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?

13:9b.2KI.013.009 Jehoahazi akavata namadzibaba ake, vakamuviga paSamaria; Joashi mwanakomana wake akamutevera paushe.

13:10b.2KI.013.010 Negore ramakumi matatu namanomwe raJoashi mambo waJudha, Jehoashi mwanakomana waJehoahazi wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria, akahubata makore ane gumi namatanhatu.

13:11b.2KI.013.011 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo; asi wakaramba achifamba mazviri.

13:12b.2KI.013.012 Mamwe mabasa aJoashi, nezvose zvaakaita, nesimba rake raakarwa naro naAmazia mambo waJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?

13:13b.2KI.013.013 Joashi akavata namadzibaba ake, Jerobhoamu akagara pachigaro chake choushe; Joashi akavigwa paSamaria kuna madzimambo aIsiraeri. Kufa kwaErisha

13:14b.2KI.013.014 Zvino Erisha wakarwara nokurwara kwaakazofa nako, Joashi mambo welsiraeri akaenda kwaari, akachema pamusoro pake, akati, Baba vangu, baba vangu, ngoro yaIsiraeri navatasvi vamabhiza ayo!

13:15b.2KI.013.015 Erisha akati kwaari, Tora uta nemiseve; akatora uta nemiseve.

13:16b.2KI.013.016 Akati kuna mambo waIsiraeri, Isa ruoko rwako pauta; iye akaisa ruoko rwake pauta. Erisha akaisa maoko ake pamusoro pamaoko ake.

13:17b.2KI.013.017 Akati, Zarura hwindo rinotarira mabvazuva; iye akarizarura. Zvino Erisha akati, Fura! Iye akafura. Akati, Ndiwo museve waJehovha unokunda, ndiwo museve unokunda vaSiria; nokuti imi muchakunda vaSiria paAfeki, kusvikira mavaparadza.

13:18b.2KI.013.018 Akati, Tora miseve; iye akatora. Akati kuna mambo waIsiraeri, Rova pasi! Iye akarova pasi katatu, akarega.

13:19b.2KI.013.019 Ipapo munhu waMwari akamutsamwira, akati, Waifanira kurova kashanu kana katanhatu, ipapo waikunda vaSiria kusvikira wavaparadza chose; asi zvino uchakunda vaSiria katatu bedzi.

13:20b.2KI.013.020 Erisha akafa, vakamuviga. Zvino hondo dzavaMoabhu dzikapinda munyika pakutanga kwegore.

13:21b.2KI.013.021 Zvino mumwe musi vakati vachiviga munhu, vakaona hondo yavaMoabhu, vakakandira munhu muhwiro hwaErisha, zvino munhu uyo wakati achigunzva mapfupa aErisha, akararamazve, akamira namakumbo ake.

13:22b.2KI.013.022 Zvino Hazaeri mambo weSiria akatambudza vaIsiraeri mazuva ose aJehoahazi.

13:23b.2KI.013.023 Asi Jehovha wakavanzwira tsitsi, akava nenyasha navo, akavawo nehanya navo, nokuda kwesungano yake naAbhurahamu, nalsaka, naJakobho, akasada kuvaparadza, kana kuvarashira kure naye panguva iyo.

13:24b.2KI.013.024 Zvino Hazaeri mambo weSiria akafa, Bhenihadhadhi mwanakomana wake akamutevera paushe.

13:25b.2KI.013.025 Ipapo Jehoashi mwanakomana waJehoahazi akatorerazve Bhenihadhadhi mwanakomana waHazaeri, maguta aakanga atorera baba vake Jehoahazi pakurwa. Joashi akamukunda katatu, akatorazve maguta aIsiraeri.

14

14:1b.2KI.014.001 Negore rechipiri raJoashi mwanakomana waJoahazi mambo waIsiraeri, Amazia mwanakomana waJoashi mambo waJudha, akatanga kubata ushe.

14:2b.2KI.014.002 Akatanga kubata ushe ana makore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namapfumbamwe; zita ramai vake rakanga riri Jehoadhini weJerusaremu.

14:3b.2KI.014.003 Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, asi haana kufanana nababa vake Dhavhidhi; akaita zvose zvakaita baba vake Joashi.

14:4b.2KI.014.004 Asi matunhu akakwirira haana kubviswa, asi vanhu vakaramba vachibayira nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira.

14:5b.2KI.014.005 Zvino ushe hwakati huchangosimbiswa naye, akauraya varanda vake vakanga vauraya mambo baba vake.

14:6b.2KI.014.006 Asi haana kuuraya vana vavaurayi, sezvazvakanyorwa mubhuku yomurayiro waMozisi, sezvakaraira Jehovha, achiti, Madzibaba ngaarege kuurawa nokuda kwavana, kana vana ngavarege kuurawa nokuda kwamadzibaba; asi munhu mumwe nomumwe ngaafire zvivi zvake.

14:7b.2KI.014.007 Akauraya vane zviuru zvine gumi zvavaEdhomu pamupata womunyu, akakundawo Sera pakurwa, akaritumidza zita rinonzi Joketeeri, kusvikira zuva ranhasi.

14:8b.2KI.014.008 Zvino Amazia akatuma nhume kuna Jehoashi mwanakomana waJehoahazi mwanakomana waJehu, mambo waIsiraeri, akati, Uya tionane.

14:9b.2KI.014.009 Jehoashi mambo waIsiraeri akatuma shoko kuna Amazia mambo waJudha, akati, Rukato rwakanga ruri paRebhanoni rwakatuma shoko kumusidhari wakanga uri paRebhanoni, rukati, Ipa mwanakomana wangu mukunda wako, ave mukadzi wake; zvino imwe mhuka yakanga iri paRebhanoni ikapfuurapo, ikatsikatsika rukato.

14:10b.2KI.014.010 Iwe wakunda vaEdhomu, zvino moyo wako wozvikudza; chizvikudza hako, ugare kumusha; nokuti unotsvakireiko njodzi, uwiremo, iwe naJudha pamwechete newe?

14:11b.2KI.014.011 Asi Amazia wakaramba kunzwa. Naizvozvo Jehoashi mambo waIsiraeri akaenda; iye naAmazia mambo waJudha vakaonana paBhetishemeshi raiva raJudha.

14:12b.2KI.014.012 VaJudha vakakundwa navaIsiraeri, mumwe nomumwe akatizira kutende rake.

14:13b.2KI.014.013 Jehoashi mambo waIsiraeri akasunga Amazia mambo waJudha, mwanakomana waJehoashi, mwanakomana waAhazia, paBhetishemeshi, akasvika Jerusaremu, akaputsa rusvingo rweJerusaremu, kubva pasuo raEfuremu kusvikira pasuo rapakona, makubhiti ana mazana mana.

14:14b.2KI.014.014 Akatora ndarama yose nesirivha, nemidziyo yose yakawanikwa mumba maJehovha, napafuma yomumba mamambo, navanhu kuzova rubatso, akadzokera Samaria.

14:15b.2KI.014.015 Zvino mamwe mabasa aJehoashi aakaita, nesimba rake, nokurwa kwake naAmazia mambo waJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?

14:16b.2KI.014.016 Jehoashi akavata namadzibaba ake, akavigwa paSamaria kuna madzimambo aIsiraeri, Jerobhoamu akamutevera paushe. Jerobhoamu wechipiri mambo waIsiraeri

14:17b.2KI.014.017 Amazia mwanakomana waJoashi mambo waJudha wakaramba ari mupenyu makore ane gumi namashanu, shure kwokufa kwaJehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo welsiraeri.

14:18b.2KI.014.018 Zvino mamwe mabasa aAmazia haana kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?

14:19b.2KI.014.019 Zvino vakarangana kumuuraya paJerusaremu, akatizira Rakishi; asi vakatuma vanhu Rakishi vachimutevera, vakamuurayirapo.

14:20b.2KI.014.020 Vakauya naye pamabhiza, akavigwa kuna madzibaba ake muguta raDhavhidhi.

14:21b.2KI.014.021 Zvino vanhu vose vaJudha vakatora Azaria, wakanga anamakore ane gumi namatanhatu, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake Amazia.

14:22b.2KI.014.022 Akavaka Erati, akaridzosera kuna Judha, mambo avata namadzibaba ake.

14:23b.2KI.014.023 Negore regumi namashanu raAmazia mwanakomana waJoashi mambo waJudha, Jerobhoamu mwanakomana waJoashi, mambo waIsiraeri, akatanga kubata ushe paSamaria, akaubata makore ana makumi mana nerimwe.

14:24b.2KI.014.024 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutsauka pazvivi zvose zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.

14:25b.2KI.014.025 Akakundazve nyika yaIsiraeri, kubva pavanopinda paHamati kusvikira pagungwa reArabha, sezvakarehwa neshoko raJehovha, Mwari waIsiraeri, raakataura nomuromo womuranda wake Jona, mwanakomana waAmitai, muporofita weGatiheferi.

14:26b.2KI.014.026 Nokuti Jehovha wakaona kutambudzika kwaIsiraeri, kuti kwakanga kwakanyanya kwazvo; nokuti kwakanga kusina vakuru navaduku, kwakanga kusina mubetseri waIsiraeri.

14:27b.2KI.014.027 Asi Jehovha haana kutaura kuti uchadzima zita relsiraeri pasi pedenga, asi wakavaponesa noruoko rwaJerobhoamu mwanakomana waJoashi.

14:28b.2KI.014.028 Zvino mamwe mabasa aJerobhoamu, nezvose zvaakaita, nesimba rake, nokurwa kwake, nokudzosera kwake Dhamasiko neHamati kuna Isiraeri, aiva maguta aJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?

14:29b.2KI.014.029 Jerobhoamu akavata namadzibaba ake, madzimambo aIsiraeri; Zekariya mwanakomana wake akamutevera paushe.

15

15:1b.2KI.015.001 Negore ramakumi maviri namanomwe raJerobhoamu mambo waIsiraeri, Azaria mwanakomana waAmazia mambo waJudha wakatanga kubata ushe.

15:2b.2KI.015.002 Wakanga anamakore ane gumi namatanhatu pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe paJerusaremu makore ana makumi mashanu namaviri; zita ramai vake rakanga riri Jekoria weJerusaremu.

15:3b.2KI.015.003 Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakaita baba vake Amazia pazvose.

15:4b.2KI.015.004 Kunyange zvakadaro, matunhu akakwirira haana kubviswa, vanhu vakaramba vachibayira nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira.

15:5b.2KI.015.005 Jehovha akarova mambo, akava namaperembudzi kusvikira zuva rokufa kwake, akagara ari oga muimba. Jotamu mwanakomana wamambo akava mutariri weimba, akatongawo mhosva dzavanhu venyika.

15:6b.2KI.015.006 Zvino mamwe mabasa aAzaria, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?

15:7b.2KI.015.007 Azaria akavata namadzibaba ake, vakamuviga kuna madzibaba ake muguta raDhavhidhi; Jotamu mwanakomana wake akamutevera paushe. Mamwe madzimambo okupedzisira aIsiraeri

15:8b.2KI.015.008 Negore ramakumi matatu namasere raAzaria mambo waJudha, Zekariya mwanakomana waJerobhoamu wakava mambo waIsiraeri paSamaria mwedzi mitanhatu.

15:9b.2KI.015.009 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaita madzibaba ake; haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.

15:10b.2KI.015.010 Sharumi mwanakomana waJabheshi akamumukira, akamubaya pamberi pavanhu, akamuuraya, iye akamutevera paushe.

15:11b.2KI.015.011 Zvino mamwe mabasa aZekariya, tarirai akanyorwa mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri.

15:12b.2KI.015.012 Ndiro shoko raJehovha raakataura kuna Jehu, achiti, Vanakomana vako vachagara pachigaro choushe hwaIsiraeri kusvikira parudzi rwechina. Zvikaitwa saizvozvo.

15:13b.2KI.015.013 Sharumi mwanakomana waJabheshi wakatanga kubata ushe negore ramakumi matatu namapfumbamwe raUziya mambo waJudha; akabata ushe paSamaria mwedzi mumwe.

15:14b.2KI.015.014 Zvino Menahemi mwanakomana waGadhi akabva Tiriza, akasvika Samaria, akabaya Sharumi mwanakomana waJabheshi paSamaria, akamuuraya, akamutevera paushe.

15:15b.2KI.015.015 Zvino mamwe mabasa aSharumi, nokumukira kwake, tarirai zvakanyorwa mubhuku yaMakoronike amadzibaba aIsiraeri.

15:16b.2KI.015.016 Zvino Menahemi akaparadza Tifisa, navose vakanga vari mukati maro, nenyika yaro, kubva paTiriza; akariparadza, nokuti vakaramba kumuzarurira; akatumbura vakadzi vose vakanga vane mimba, vaiva mukati maro.

15:17b.2KI.015.017 Negore ramakumi matatu namapfumbamwe raAzaria mambo waJudha, Menahemi mwanakomana waGadhi, wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri, akaubata makore ane gumi paSamaria.

15:18b.2KI.015.018 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; mazuva ake ose haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.

15:19b.2KI.015.019 Zvino Puri mambo weAsiria akauya kuzorwa nenyika; Menahemi akapa Puri matarenda ane chiuru chimwe chesirivha, kuti amubatsire kusimbisa ushe hwake.

15:20b.2KI.015.020 Menahemi akateresa Isiraeri, mumwe nomumwe wakanga ane simba, akafuma, akabudisa mashekeri ana makumi mashanu esirivha, kuti zvipiwe mambo weAsiria; naizvozvo mambo weAsiria akadzokera hake, akasagara panyika.

15:21b.2KI.015.021 Zvino mamwe mabasa aMenahemi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?

15:22b.2KI.015.022 Menahemi akavata namadzibaba ake, Pekahia mwanakomana wake akamutevera paushe.

15:23b.2KI.015.023 Negore ramakumi mashanu raAzaria mambo weJudha, Pekahia mwanakomana waMenehemi wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria, akaubata makore maviri.

15:24b.2KI.015.024 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.

15:25b.2KI.015.025 Zvino Peka mwanakomana waRemaria, mukuru wake wehondo akamumukira, akamuuraya paSamaria, munhare yeimba yamambo, iye naArigobhi naArie navanhu vana makumi mashanu vaGiriyadhi vaakanga anavo; akamuuraya, akamutevera paushe.

15:26b.2KI.015.026 Zvino mamwe mabasa aPekahia, nezvose zvaakaita, tarirai zvakanyorwa mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri.

15:27b.2KI.015.027 Negore ramakumi mashanu namaviri raAzaria mambo waJudha, Peka, mwanakomana waRemaria, akatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria, akaubata makore makumi maviri.

15:28b.2KI.015.028 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.

15:29b.2KI.015.029 Namazuva aPeka mambo waIsiraeri, Tigiratipireseri mambo weAsiria akasvika, akakunda Ijoni, neAbheribhetimaaka, neJanoa, neKadheshi, neHazori, neGiriyadhi, neGariri, iyo nyika yose yeNafutari; akavatapa, akaenda navo Asiria.

15:30b.2KI.015.030 Zvino Hoshea mwanakomana waEra akaita ndanga pamusoro paPeka mwanakomana waRemaria, akamubaya, akamuuraya, ndokumutevera paushe, negore ramakumi maviri raJotamu mwanakomana waUziya.

15:31b.2KI.015.031 Zvino mamwe mabasa aPeka, nezvose zvaakaita, tarirai zvakanyorwa mubhuku yaMakoronike amadzimambo elsiraeri. Jotamu mambo waJudha

15:32b.2KI.015.032 Negore rechipiri raPeka mwanakomana waRemaria mambo waIsiraeri, Jotamu mwanakomana waUziya mambo waJudha, wakatanga kubata ushe.

15:33b.2KI.015.033 Wakanga asvika makore ana makumi maviri namashanu pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore ane gumi namatanhatu; zita ramai vake rakanga riri Jerusha mukunda waZadhoki.

15:34b.2KI.015.034 Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, akaita zvose zvakaitwa nababa vake Uziya.

15:35b.2KI.015.035 Kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa; vanhu vakaramba vachibayira nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira. Ndiye wakavaka suo rokumusoro reimba yaJehovha.

15:36b.2KI.015.036 Zvino mamwe mabasa aJotamu, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?

15:37b.2KI.015.037 Namazuva iwayo Jehovha akatanga kutuma Rezini mambo weSiria naPeka mwanakomana waRemaria kuzorwa naJudha.

15:38b.2KI.015.038 Jotamu akavata namadzibaba ake, akavigwa kuna madzibaba ake muguta rababa vake Dhavhidhi; Ahazi mwanakomana wake akamutevera paushe.

16

16:1b.2KI.016.001 Negore regumi namanomwe raPeka mwanakomana waRemaria, Ahazi mwanakomana waJotamu mambo waJudha wakatanga kubata ushe.

16:2b.2KI.016.002 Ahazi akatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri; akabata ushe paJerusaremu makore ane gumi namatanhatu. Asi haana kuita zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake, sababa vake Dhavhidhi.

16:3b.2KI.016.003 Nokuti wakafamba nenzira yamadzibaba aIsiraeri, akapinzawo mwanakomana wake mumoto netsika dzezvinonyangadza zvavahedheni, vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri.

16:4b.2KI.016.004 Akabayira nokupisa zvinonhuwira napasi pemiti yose mitema.

16:5b.2KI.016.005 Ipapo Rezini mambo weSiria, naPeka mwanakomana waRemaria mambo wIsiraeri, vakasvika Jerusaremu kuzorwa naye; vakakomba Ahazi, asi vakanga vasingagoni kumukunda.

16:6b.2KI.016.006 Nenguva iyo Rezini mambo weSiria akadzoserazve Siria Erati, akadzinga vaJudha paErati; vakaenda Erati, vakagarapo kusvikira nhasi.

16:7b.2KI.016.007 Zvino Ahazi akatuma nhume kuna Tigiratipireseri mambo weAsiria, akati, Ndiri muranda wenyu nomwanakomana wenyu; uyai mundirwire muruoko rwamambo weSiria, nomuruoko rwamambo waIsiraeri, vanondimukira.

16:8b.2KI.016.008 Ipapo Ahazi akatora sirivha nendarama zvakawanikwa mumba maJehovha, napafuma yeimba yamambo, akazvituma kuna mambo weAsiria, chive chipo.

16:9b.2KI.016.009 Mambo weAsiria akamunzwa, mambo weAsiria akandorwa neDhamasiko, akarikunda, akatapa vanhu, akavaisa Kiri, akauraya Rezini.

16:10b.2KI.016.010 Zvino mambo Ahazi akaenda Dhamasiko kundosangana naTigiratipireseri mambo weAsiria, akaona aritari yakanga iri paDhamasiko; mambo Ahazi akatuma mufananidzo wearitari kuna Uriya mupirisiti, nomuvakirwo wayo, nomuitirwe wayo wose.

16:11b.2KI.016.011 mupirisiti Uriya akavaka aritari yakafanana nezvose zvakanga zvatumwa namambo Ahazi achiri Dhamasiko, mupirisiti Uriya akaiita saizvozvo mambo Ahazi achigere kudzoka Dhamasiko.

16:12b.2KI.016.012 Zvino mambo wakati adzoka Dhamasiko, mambo akaona aritari, mambo akaswedera paaritari, kuzobayira pamusoro payo.

16:13b.2KI.016.013 Akapisira pamusoro pearitari chipiriso chake chinopiswa, nechipiriso chake choupfu, akadururapo chipiriso chake chinodururwa, akasasirapo ropa rezvipiriso zvake zvokuyananisa.

16:14b.2KI.016.014 Uye aritari yendarira, yaiva pamberi paJehovha, wakaibvisa pamukova weimba, pakati pearitari yake neimba yaJehovha, akaiisa kurutivi rwokumusoro rwearitari yake.

16:15b.2KI.016.015 Zvino mambo Ahazi akaraira mupirisiti Uriya, akati, Chipisira chipiriso choupfu chamangwanani paaritari huru, nechipiriso chamadekwana, nechipiriso chamambo chinopiswa, nechipiriso chake choupfu, nechipiriso chavanhu vose venyika, nechipiriso chavo choupfu, nezvipiriso zvavo zvinodururwa; uye usasire pamusoro payo, neropa rose rechipiriso chinopiswa, neropa rose rezvibayiro; asi aritari yendarira ndiyo yandichabvunza

16:16b.2KI.016.016 Naizvozvo mupirisiti Uriya akaita zvose zvaakanga arairwa namambo Ahazi.

16:17b.2KI.016.017 Mambo Ahazi akagura ukomba hwezvingoro, akabvisa mudziyo wokushamba pamusoro pazvo, akabvisawo dziva pamusoro penzombe dzendarira dzakanga dziri pasi paro, akariisa pachigadziko chamabwe.

16:18b.2KI.016.018 Nenzira, yaiva nedenga, yakaitirwa imba yezororo, yavakanga vavaka temberi, nomukova wamambo nechokunze, wakazvishandura mukati metemberi yaJehovha, nokuda kwamambo weAsiria.

16:19b.2KI.016.019 Zvino mamwe mabasa aAhazi aakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzibaba aJudha?

16:20b.2KI.016.020 Ahazi akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi, Hezekia mwanakomana wake akamutevera paushe.

17

17:1b.2KI.017.001 Zvino negore regumi namaviri raAhazi mambo waJudha, Hoshea mwanakomana waEra wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria, akahubata makore mapfumbamwe.

17:2b.2KI.017.002 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; asi haana kufanana namadzimambo aIsiraeri akamutangira.

17:3b.2KI.017.003 Zvino Sharimaneseri mambo weAsiria akasvika kuzorwa naye, Hoshea akava muranda wake, akamuteerera mutero.

17:4b.2KI.017.004 Asi mambo weAsiria wakati achiona kuti Hoshea akarangana navamwe kumumukira, nokuti wakanga atuma nhume kuna Soromoni mambo weIjipiti, akarega kuteerera mambo weAsiria mutero sezvaaiita gore rimwe nerimwe, mambo weAsiria akamupfigira mutorongo akamusunga.

17:5b.2KI.017.005 Ipapo mambo weAsiria akafamba nenyika yose, akaenda Samaria, akarikomba makore matatu.

17:6b.2KI.017.006 Negore repfumbamwe raHoshea, mambo weAsiria akakunda Samaria, akatapa vaIsiraeri, akaenda navo Asiria, akavaisa paHara, napaHabhori, parwizi Gozani, napamaguta avaMedhi.

17:7b.2KI.017.007 Izvozvo zvakaitwa, nokuti vana vaIsiraeri vakatadzira Jehovha Mwari wavo, iye wakanga avabudisa panyika yeIjipiti kwavakanga vakabatwa naFarao mambo vakatya vamwe vamwari,

17:8b.2KI.017.008 vakafamba nemitemo yendudzi dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri, neyamadzimambo aIsiraeri yavakatema ivo.

17:9b.2KI.017.009 Vana vaIsiraeri vakaita pakavanda zvisina kururama pamberi paJehovha Mwari wavo, vakazvivakira matunhu akakwirira mumaguta avo ose,kubva pachirindo chavarindi kusvikira pamaguta akakombwa.

17:10b.2KI.017.010 Vakazvimutsira shongwe namatanda okunamata nawo pamatunhu ose akakwirira, napasi pemiti yose mitema.

17:11b.2KI.017.011 Vakapisirapo zvinonhuwira pamatunhu ose akakwirira, sezvaiita ndudzi dzakanga dzabviswa pamberi pavo naJehovha; vakaita zvakashata zvakatsamwisa Jehovha;

17:12b.2KI.017.012 vakashumira zvifananidzo, zvavakanga vanzi naJehovha, Regai kuita chinhu ichi.

17:13b.2KI.017.013 Kunyange zvakadaro Jehovha wakapupurira Isiraeri naJudha nemiromo yavaporofita vose navawoni vose, akati, Dzokai panzira dzenyu dzakaipa, muchengete mirairo yangu nezvandakatema, sezvakarehwa nomurayiro wangu wose wandakaraira madzibaba enyu, wandakatuma nemiromo yavaporofita varanda vangu.

17:14b.2KI.017.014 Kunyange zvakadaro, vakaramba kuteerera, vakawomesa mitsipa yavo, semitsipa yamadzibaba avo, vakanga vasingatendi Jehovha Mwari wavo.

17:15b.2KI.017.015 Vakaramba mitemo yake nesungano yake yaakaita namadzibaba avo, nezvipupuriro zvake zvaakavapupurira, vakatevera zvisina maturo, ivo vakava vasina maturo, vakatevera ndudzi dzakavapoteredza, ivo vavakanga varairwa naJehovha kuti varege kuita saivo.

17:16b.2KI.017.016 Vakasiya mirairo yose yaJehovha Mwari wavo, vakazviitira zvifananidzo zvakaumbwa, zvemhuru mbiri; vakaitawo matanda okunamata nawo, vakanamata hondo yose yokudenga, vakashumira Bhaari.

17:17b.2KI.017.017 Vakapinza vanakomana navakunda vavo mumoto, vakauka nokuita uroyi hwavo, vakazvitengesa kuti vaite zvakaipa pamberi paJehovha, vakamutsamwisa.

17:18b.2KI.017.018 Naizvozvo Jehovha wakatsamwira vaIsiraeri kwazvo, akavabvisa pachiso chake; hakuna vakasiyiwa, asi rudzi rwaJudha bedzi.

17:19b.2KI.017.019 Kunyange navaJudhawo havana kuchengeta mirairo yaJehovha Mwari wavo, asi vakafamba nemitovo yavaIsiraeri, yavakatema.

17:20b.2KI.017.020 Jehovha akarasha vana vaIsiraeri vose, akavatambudza, akavapa mumaoko avaparadzi, kusvikira avarashira kure nechiso chake.

17:21b.2KI.017.021 Nokuti wakabvarura vaIsiraeri paimba yaDhavhidhi; vakaita Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, mambo wavo, Jerobhoamu akatsausa vaIsiraeri, vakarega kutevera Jehovha, akavatadzisa nechivi chikuru.

17:22b.2KI.017.022 Vana vaIsiraeri vakafamba pazvivi zvose zvaJerobhoamu, zvaakaita; havana kutsauka kwazviri;

17:23b.2KI.017.023 kusvikira Jehovha abvisa Isiraeri kure nechiso chake, sezvaakataura nemiromo yavaporofita, varanda vake vose. Naizvozvo vaIsiraeri vakatapwa panyika yavo, vakaiswa Asiria kusvikira nhasi. Nyika yavaIsiraeri inogarwa navahedheni

17:24b.2KI.017.024 Zvino mambo weAsiria wakatora vanhu paBhabhironi, napaKuta, napaAva, napaHamati, napaSefarivhaimi, akavaisa mumaguta eSamaria panzvimbo yavana vaIsiraeri; Samaria rikava ravo, vakagara mumaguta aro.

17:25b.2KI.017.025 Zvino pakutanga kwokugarapo kwavo havana kutya Jehovha, Jehovha akatuma shumba pakati pavo, dzikavauraya vamwe vavo.

17:26b.2KI.017.026 Naizvozvo vakaudza mambo weAsiria, vakati, Ndudzi dzavanhu dzamakatapa, mukavaisa mumaguta eSamaria, hadzizivi tsika dzaMwari wenyika iyo, naizvozvo wakatuma shumba pakati pavo, dzino vauraya, nokuti havazivi tsika dzaMwari wenyika iyo.

17:27b.2KI.017.027 Ipapo mambo weAsiria akaraira, akati, Isaiko mumwe wavapirisiti vamakatapapo; ngavaende kundogarako, avadzidzise tsika dzaMwari wenyika iyo.

17:28b.2KI.017.028 Naizvozvo mumwe wavapirisiti vavakatapa paSamaria, wakandogara paBhetieri, akavadzidzisa sezvavanofanira kutya Jehovha.

17:29b.2KI.017.029 Kunyange zvakadaro rudzi rumwe norumwe rwakazviitira vamwari varwo, vakavaisa mudzimba dzamatunhu akakwirira, dzakavakwa navaSamaria, rudzi rumwe norumwe pamaguta arwo, kwavaigara.

17:30b.2KI.017.030 Vanhu veBhabhironi vakavaka Sukotibhenoti, vanhu veKuti vakavaka Nerigari, vanhu veHamati vakavaka Ashima,

17:31b.2KI.017.031 vaAvhi vakavaka Nibhazi neTaritaki, vaSefari- vhaimi vakapisa vana vavo mumoto kuna Adhiramereki naAnamereki, vamwari veSefari-vhaimi.

17:32b.2KI.017.032 Naizvozvo vakasatya Jehovha, vakazvitsaurira pakati pavo vapirisiti vamatunhu akakwirira, vaivabayirira mudzimba dzamatunhu akakwirira.

17:33b.2KI.017.033 Vakatya Jehovha, vakashumira vamwari vavo, vachitevera tsika dzendudzi kwavakanga vatapwako.

17:34b.2KI.017.034 Kusvikira zuva ranhasi vanotevera tsika dzakare, havatyi Jehovha, kana kuita sezvavanorairwa nemitemo yavo, kana zvirevo zvavo, kana murayiro wavo, kana mirau yavo, yakanga yarairwa vana vaJakobho naJehovha, iye waakatumidza zita rinonzi Isiraeri;

17:35b.2KI.017.035 Jehovha akaita sungano navo, akavaraira, akati, Regai kutya vamwe vamwari, kana kuvapfugamira kana kuvashumira, kana kuvabayira,

17:36b.2KI.017.036 asi Jehovha, wakakubudisai paIjipiti nesimba guru, noruoko rwakatambanudzwa, ndiye wamunofanira kutya, ndiye wamunofanira kufugamira, ndiye wamunofanira kubayira.

17:37b.2KI.017.037 Mitemo, nezvirevo, nomurayiro, nomurau, zvaakakunyorerai, munofanira kuzvichengeta nokusingaperi, hamufaniri kutya vamwe vamwari;

17:38b.2KI.017.038 uye hamufaniri kukanganwa sungano yandakaita nemi; uye hamufaniri kutya vamwe vamwari;

17:39b.2KI.017.039 asi munofanira kutya Jehovha Mwari wenyu; iye achakusunungurai pamaoko avavengi venyu vose.

17:40b.2KI.017.040 Kunyange zvakadaro havana kuteerera, asi vakatevera tsika dzakare.

17:41b.2KI.017.041 Naizvozvo ndudzi idzi dzakatya Jehovha, dzikashumirawo zvifananidzo zvadzo zvakavezwa; navana vavo, navana vavana vavo, vanoita saizvozvo kusvikira nhasi, sezvakaita madzibaba avo.

18

18:1b.2KI.018.001 Zvino negore rechitatu raHoshea mwanakomana waEra mambo waIsiraeri, Hezekia mwanakomana waAhazi mambo waJudha wakatanga kubata ushe.

18:2b.2KI.018.002 Akatanga kubata ushe ava namakore ana makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namapfumbamwe; zita ramai vake rakanga riri Abhi mukunda waZekariya.

18:3b.2KI.018.003 Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakaita baba vake Dhavhidhi.

18:4b.2KI.018.004 Akabvisa matunhu akakwirira, akaputsa shongwe, akaparadza matanda okunamata nawo; akaputsaputsa nyoka yendarira yakanga yakaitwa naMozisi; nokuti kusvikira pamazuva iwayo vana vaIsiraeri vaiipisira zvinonhuwira; akaitumidza Nehushitani.

18:5b.2KI.018.005 Akatenda kuna Jehovha Mwari waIsiraeri; naizvozvo hakuna wakanga akafanana naye pakati pamadzimambo ose aJudha, kuna vakamutevera kana akamutangira.

18:6b.2KI.018.006 Nokuti wakanamatira Jehovha, haana kutsauka pakumutevera; asi wakachengeta mirairo yake, yakarairwa Mozisi naJehovha.

18:7b.2KI.018.007 Jehovha akava naye; kwose kwaakaenda wakafambiswa zvakanaka; akamukira mambo weAsiria, akasamushumira.

18:8b.2KI.018.008 Akakunda vaFirisitia kusvikira paGaza nenyika yaro, kubva pachirindo chomurindi kusvikira pamaguta akakombwa norusvingo.

18:9b.2KI.018.009 Zvino negore rechina ramambo Hezekia, riri gore rechinomwe raHoshea mwanakomana waEra mambo waIsiraeri, Sharimaneseri mambo weAsiria akandorwa neSamaria, akarikomba.

18:10b.2KI.018.010 Pakupera kwamakore matatu vakarikunda; Samaria rikakundwa negore retanhatu raHezekia, riri gore repfumbamwe raHoshea mambo waIsiraeri.

18:11b.2KI.018.011 Mambo weAsiria akatapa vaIsiraeri, akaenda navo Asiria, akavaisa paHara, napaHabhori, parwizi Gozani, nomumaguta avaMedhi;

18:12b.2KI.018.012 nokuti havana kuteerera inzwi raJehovha Mwari wavo, asi vakadarika sungano yake, izvo zvose zvavakanga varairwa naMozisi muranda waJehovha, vakaramba kunzwa, kana kuzviita. Saniheribhi mambo weAsiria anokomba Jerusaremu, asi vaJudha vanorwirwa naJehovha

18:13b.2KI.018.013 Zvino negore regumi namana ramambo Hezekia, Sanheribhi mambo weAsiria akandorwa namaguta ose aJudha akakombwa namasvingo, akaakunda.

18:14b.2KI.018.014 Zvino Hezekia mambo weJudha akatuma shoko kuna mambo weAsiria paRakishi, akati, Ndatadza, dzokai henyu mubve kwandiri; zvose zvamunoreva kwandiri ndichazviripa. Ipapo mambo weAsiria akaripisa Hezekia mambo weJudha matarenda ana mazana matatu esirivha namatarenda ana makumi matatu endarama.

18:15b.2KI.018.015 Hezekia akamupa sirivha yose yakanga iri mumba maJehovha, napafuma yeimba yamambo.

18:16b.2KI.018.016 Nenguva iyo Hezekia wakabvisa ndarama pamikova yeimba yaJehovha, napambiru dzakanga dzafukidzwa nayo naHezekia mambo waJudha, akaipa mambo weAsiria.

18:17b.2KI.018.017 Zvino mambo weAsiria akatuma mukuru wehondo, nomukuru wamachinda, nomukuru wavatariri vabve Rakishi nehondo huru vaende kuna Hezekia paJerusaremu. Ivo vakaenda, vakasvika Jerusaremu. Zvino vakati vasvika, vakamira pamugero wedziva rokumusoro, riri panzira huru inoenda kumunda womusuki.

18:18b.2KI.018.018 Zvino vakati vadana mambo, Eriakimu mwanakomana waHirikia, waichengeta imba, naShebhana munyori, naJoa mwanakomana waAsafi sahwira, va kabudira kwavari.

18:19b.2KI.018.019 Zvino mukuru wavatariri akati kwavari, Zvino imi muti kuna Hezekia, Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria, chaunovimba nacho chinyi?

18:20b.2KI.018.020 Iwe unoti (asi mashoko omuromo hawo), mano nesimba zvokurwa nazvo zviripo hazvo. Zvino unovimba naniko, zvawandimukira ini?

18:21b.2KI.018.021 Tarira zvino, unovimba nomudonzvo worutsanga urwu rwakapwanyika, Ijipiti, runoti kana munhu akasendama kwaruri, ruchapinda muruoko rwake, rukamubaya; ndizvo zvakaita Farao mambo weIjipiti kuna vose vanovimba naye.

18:22b.2KI.018.022 Asi kana ukati kwandiri, Tinovimba naJehovha Mwari wedu, ko haazi iye wakabvisirwa matunhu akakwirira nearitari dzake naHezekia, akati kuna Judha naJerusaremu, Munofanira kunamata pamberi pearitari iri paJerusaremu, here?

18:23b.2KI.018.023 Naizvozvo zvino, chipikiranai henyu natenzi wangu mambo weAsiria, ndikupe mabhiza ane zviuru zviviri, kana iwe ukagona kuisa vatasvi pamusoro pawo.

18:24b.2KI.018.024 Ungagona seiko kukunda mukuru mumwe kuna vaduku vavaranda vatenzi vangu, kana ukavimba naIjipiti kuti upiwe ngoro namabhiza navo?

18:25b.2KI.018.025 Ini ndauya kuzorwa nenzvimbo iyi kuti ndiiparadze ndisina Jehovha here? Ndiye Jehovha wakati kwandiri, Enda undorwa nenyika iyo, uiparadze.

18:26b.2KI.018.026 Ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia, naShebhana, naJoa vakati kumukuru wavatariri, Tinokumbira kuti mutaure henyu navaranda venyu norurimi rwechiAramaia, nokuti tinochinzwisisa; murege henyu kutaura nesu norurimi rwavaJudha, vanhu vose vari parusvingo vazvinzwe.

18:27b.2KI.018.027 Asi mukuru wavatariri wakati kwaari, Tenzi wangu wakandituma kuna tenzi wako nokwauri here, kuti nditaure mashoko awa? Haana kundituma here kuvanhu vagere pamusoro porusvingo, kuti vadye ndove yavo nemvura yavo pamwechete nemi?

18:28b.2KI.018.028 Ipapo mukuru wavatariri akamira, akadanidzira nenzwi guru norurimi rwavaJudha, akataura achiti, inzwai shoko ramambo mukuru, iye mambo weAsiria.

18:29b.2KI.018.029 Zvanzi namambo, Hezekia ngaarege kukunyengerai; nokuti haagoni kukurwirai pamaoko ake;

18:30b.2KI.018.030 Hezekia ngaarege kukuvimbisai naJehovha, achiti Jehovha uchatirwira zvirokwazvo, uye kuti guta iri haringaiswi mumaoko amambo weAsiria.

18:31b.2KI.018.031 Musateerera Hezekia, nokuti zvanzi namambo weAsiria, Yananai neni, mubudirei kwandiri, mudye mumwe nomumwe muzambiringa wake, mumwe nomumwe muwonde wake, mumwe nomumwe mvura yetsime rake;

18:32b.2KI.018.032 kusvikira ini ndauya ndikutorei, ndikuisei kunyika yakafanana neyenyu, nyika ine zviyo newaini, nyika ine chingwa neminda yemizambiringa, nyika inamafuta emiorivhi nouchi, murarame, murege kufa, regai kuteerera Hezekia, kana achikugombedzerai achiti, Jehovha uchatirwira.

18:33b.2KI.018.033 Ko mumwe wavamwari vendudzi wakatomborwira nyika yake paruoko rwamambo weAsiria here?

18:34b.2KI.018.034 Vamwari veHamati neAripadhi varipi? Vamwari veSefarivhaimi, neHena, neIvha varipi vakarwira Samaria paruoko rwangu here?

18:35b.2KI.018.035 Ndavapiko pakati pavamwari vose venyika vakarwira nyika yavo paruoko rwangu, zvamunoti Jehovha ucharwira Jerusaremu paruoko rwangu?

18:36b.2KI.018.036 Asi vanhu vakaramba vanyerere, havana kumupindura shoko rimwe, nokuti murayiro wamambo wakanga uchiti, Regai kumupindura.

18:37b.2KI.018.037 Zvino Eriakimu mwanakomana waHirikia, waitarira imba, naShebha munyori, naJoa, mwanakomana waAsafi sahwira, vakaenda kuna Hezekia, nguvo dzavo dzabvarurwa, vakamuudza mashoko omukuru wavatariri.

19

19:1b.2KI.019.001 Zvino mambo Hezekia wakati achizvinzwa, akabvarura nguvo dzake, akafuka magumbu, akapinda mumba maJehovha.

19:2b.2KI.019.002 Akatuma Eriakimu waitarira imba, naShebhana munyori, navakuru vavapirisiti, vakafuka magumbu, kunomuporofita Isaya mwanakomana waAmozi.

19:3b.2KI.019.003 Vakati kwaari, Zvanzi naHezekia, Nhasi izuva rokutambudzika, nerokutukwa, nerokuzvidzwa; nokuti vana vakasvika pakuzvarwa, asi hakune simba rokuzvara naro.

19:4b.2KI.019.004 Zvimwe Jehovha Mwari wenyu uchanzwa mashoko ose omukuru wavatariri, wakatumwa namambo weAsiria tenzi wake, kuzvidza Mwari mupenyu, agovatuka pamusoro pamashoko akanzwa Jehovha Mwari wenyu; naizvozvo nyengetererai vakasara.

19:5b.2KI.019.005 Ipapo varanda vamambo Hezekia vakasvika kuna Isaya.

19:6b.2KI.019.006 Isaya akati kwa vari, Udzai tenzi wenyu, muti, Zvanzi naJehovha, usatya hako mashoko awakanzwa, andakamhurwa nawo navaranda vamambo weAsiria.

19:7b.2KI.019.007 Tarira, ndichaisa mweya wokutya mukati make, uchanzwa guhu, ndokudzokera kunyika yake; ndichamuurayisa nomunondo munyika yake.

19:8b.2KI.019.008 Naizvozvo mukuru wavatariri wakadzoka, akawana mambo weAsisia achirwa neRibhina, nokuti wakanga anzwa kuti wabva paRakishi.

19:9b.2KI.019.009 Zvino wakati achinzwa pamusoro paTirihaka mambo weItiopia, zvichinzi, Tarirai, wouya kuzorwa nemi, akatumazve nhume kuna Hezekia, achiti,

19:10b.2KI.019.010 Endai mundoudza Hezekia mambo waJudha; muti, Mwari wako, waunovimba naye, ngaarege kukunyengera, achiti, Jerusaremu haringaiswi muruoko rwamambo weAsiria.

19:11b.2KI.019.011 Tarira, wakanzwa zvakaitirwa nyika dzose namadzimambo eAsiria, kuti vakadziparadza chose; zvino iwe ucharwirwa here?

19:12b.2KI.019.012 Ko vamwari vedzimwe ndudzi vakadzirwira here, idzo dzakaparadzwa namadzibaba angu, vanaGozani, naHarani, naRezefi, navana vaEdheni, vaiva paTerasari?

19:13b.2KI.019.013 Mambo weHamati uripiko, namambo weAripadhi, namambo weguta reSefari-vhaimi, neHena, neIvha?

19:14b.2KI.019.014 Hezekia akagamuchira mwadhi pamaoko enhume, akairava; Hezekia akakwira kumba kwaJehovha akaipetenura pamberi paJehovha.

19:15b.2KI.019.015 Ipapo Hezekia akanyengetera pamberi paJehovha, akati, Haiwa! Jehovha waIsiraeri, iye ugere pamusoro pamakerubhi! Ndimi Mwari, imi moga, woushe hwose hwenyika, ndimi makaita kudenga napasi.

19:16b.2KI.019.016 Rerekerai nzeve yenyu, Jehovha, munzwe; svinudzai meso enyu, Jehovha, muwone; inzwai mashoko aSanheribhi, aakatuma kuzozvidza Mwari mupenyu.

19:17b.2KI.019.017 Zvirokwazvo, Jehovha, madzimambo eAsiria akaparadza ndudzi nenyika dzadzo,

19:18b.2KI.019.018 akakandira vamwari vadzo mumoto; nokuti vakanga vasi vamwari, asi rakanga riri basa ramaoko avanhu, ari matanda namabwe; naizvozvo vakavaparadza.

19:19b.2KI.019.019 Zvino, Jehovha Mwari wedu, chitiponesai henyu paruoko rwake, kuti ushe hwose hwenyika huzive kuti ndimi Jehovha Mwari, imi moga.

19:20b.2KI.019.020 Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi, wakatuma shoko kuna Hezekia, akati, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, Zvawanyengetera kwandiri pamusoro paSanheribhi mambo weAsiria, ndakunzwa.

19:21b.2KI.019.021 Heri shoko rakataurwa naJehovha pamusoro pake, Mhandara, mukunda weZiyoni, wakakushora nokukuseka; mukunda weJerusaremu wakakudzungudzira musoro wake.

19:22b.2KI.019.022 Ndianiko waakatuka nokumhura? Wakazvikudza kuna aniko nenzwi rako, meso ako akatarira aniko kudenga? NdiMutsvene waIsiraeri!

19:23b.2KI.019.023 Wakatuka Jehovha nenhume dzako, ukati, Ndakakwira kumakomo marefu nengoro dzangu zhinji, kunzvimbo dzomukati dzeRebhanoni; ndichatema misidhari mirefu iripo, nemisipiresi yakatsaurwa iripo, ndichapinda kusvikira paimba yake yomukati, kudondo rake rinobereka zvakanaka.

19:24b.2KI.019.024 Ndakateka ndikanwa mvura yedzimwe nyika, ndichapwisa nzizi dzose dzeIjipiti nokutsika kwetsoka dzangu.

19:25b.2KI.019.025 Hauna kunzwa here kuti ndakazviita kare, kuti ndakazviraira nenguva dzokutangatanga? Zvino ndaraira zviitike, kuti iwe uve muparadzi wamaguta akakombwa namasvingo, ave matongo.

19:26b.2KI.019.026 Naizvozvo vageremo vakanga vane simba duku, vakavhunduswa nokunyadzwa; vakafanana nouswa hwesango, nomuriwo mutema, nouswa huri pamusoro peimba, nezviyo zvakatsva zvichigere kukura.

19:27b.2KI.019.027 Asi ndinoziva kugara kwako pasi, nokubuda kwako, nokupinda kwako, uye hasha dzako kwandiri.

19:28b.2KI.019.028 Nokuda kwehasha dzako kwandiri, uye nokuti ndakanzwa kuzvikudza kwako, ndichaisa rwauro rwangu mumhino dzako, netomu rangu mumiromo yako, ndikudzosere nenzira yawakauya nayo.

19:29b.2KI.019.029 Ichi ndicho chichava chiratidzo kwauri, nhaka muchadya zvinogomera zvoga, negore rechipiri muchadya zvinomerazve kwazviri; asi negore rechitatu munofanira kudzvara, nokucheka, nokusima minda yemizambiringa, mudye michero yayo.

19:30b.2KI.019.030 Zvino vakasara, vakapukunyuka veimba yaJudha, vachaitazve midzi pasi, nokubereka michero kumusoro.

19:31b.2KI.019.031 Nokuti vakasara vachabuda paJerusaremu, navakapukunyuka pagomo reZiyoni; kushingaira kwaJehovha kuchazviita.

19:32b.2KI.019.032 Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiria, Haangapindi muguta rino, kana kuposhera museve imomo, kana kusvika pamberi paro nenhovo, kana kututira gomo revhu pariri.

19:33b.2KI.019.033 Zvanzi naJehovha, Nenzira yaakauya nayo, uchadzokazve nayo; haangapindi muguta rino.

19:34b.2KI.019.034 Nokuti ndichadzivira guta rino, ndirirwire nokuda kwangu, uye nokuda kwomuranda wangu Dhavhidhi.

19:35b.2KI.019.035 Zvino nousiku uhwo mutumwa waJehovha wakabuda, akauraya vanhu vane zviuru zvine zana namakumi masere nezvishanu pamisasa yavaAsiria; zvino vanhu vakati vachimuka mangwanani, vakawana zvava zvitunha zvose.

19:36b.2KI.019.036 Naizvozvo Sanheribhi mambo weAsiria akabva, akaenda, akadzokera kwakare, akandogara Ninivhe.

19:37b.2KI.019.037 Zvino wakati achinamata mumba maNisiroki mwari wake, Adhiramereki naSharezeri vakamuuraya nomunondo, ivo vakatizira kunyika yeArarati. Esarihadhoni akamutevera paushe.

20

20:1b.2KI.020.001 Zvino namazuva iwayo Hezekia akarwara, kusvikira pakufa. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akasvika kwaari, akati kwaari, Zvanzi naJehovha, Chiraira nhaka yako, nokuti uchafa, haungararami.

20:2b.2KI.020.002 Ipapo akatendeukira kumadziro, akanyengetera kuna Jehovha, akati,

20:3b.2KI.020.003 Dorangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba pamberi penyu nezvokwadi nomoyo wose, ndikaita zvakanaka pamberi penyu. Hezekia akachema kwazvo.

20:4b.2KI.020.004 Zvino Isaya wakanga achigere kubuda paruvazhe rwapakati, shoko raJehovha rikauya kwaari, richiti,

20:5b.2KI.020.005 Dzokazve, undoti kuna Hezekia, mutungamiriri wavanhu vangu, Zvanzi naJehovha Mwari waDhavhidhi baba vako, ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; zvino tarira, ndichakuporesa; nezuva rechitatu uchakwira kuimba yaJehovha.

20:6b.2KI.020.006 Ndichawedzera pamazuva ako makore ane gumi namashanu; ndichakurwira iwe neguta rino paruoko rwamambo weAsiria, ndichadzivira guta rino nokuda kwangu, uye nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu.

20:7b.2KI.020.007 Ipapo Isaya akati, Uyai nebundu ramawonde. Ivo vakauya naro, vakariisa pamamota, akapora.

20:8b.2KI.020.008 Zvino Hezekia akati kuna Isaya, Chiratidzo chichava cheiko kuti Jehovha uchandiporesa, ndikwire kumba kwaJehovha nezuva rechitatu here?

20:9b.2KI.020.009 Isaya akati, Ichi chichava chiratidzo chaJehovha kwauri, kuti Jehovha uchaita sezvaakataura. Unoda kuti mumvuri upfuurire mberi mitaro inegumi, kana udzoke mitaro inegumi here?

20:10b.2KI.020.010 Hezekia akapindura, akati, Zvakareruka kuti mumvuri upfuurire mberi mitaro inegumi; kwete, mumvuri ngaudzoke mitaro inegumi.

20:11b.2KI.020.011 Ipapo muporofita akadana kuna Jehovha, akadzosera mumvuri shure mitaro inegumi pachiratidzo chenguva chaAhazi.

20:12b.2KI.020.012 Zvino nenguva iyo Bherodhaki- bharadhani mwanakomana waBharadhani, mambo weBhabhironi, akatuma mwadhi nechipo kuna Hezekia; nokuti wakanga anzwa kuti Hezekia wairwara.

20:13b.2KI.020.013 Hezekia akavanzwa, akavaratidza imba yose yakanga ine zvinokosha zvake, sirivha, nendarama, nezvinonhuwira, namafuta anokosha, neimba yaiva nenhumbi dzake dzokurwa nadzo, nezvose zvakanga zviri pafuma yake; kwakanga kusisina chinhu mumba make, kana muushe hwake hwose, chavasina kuratidzwa naHezekia.

20:14b.2KI.020.014 Zvino muporofita Isaya akasvika kuna mambo Hezekia, akati kwaari, Ko varume ava vakati kudini? Vasvika kwauri vachibvepiko? Hezekia akati, Vabva kunyika iri kure, Bhabhironi.

20:15b.2KI.020.015 Akati, Vakawonei mumba mako? Hezekia akapindura, akati, Vakaona zvose zviri mumba mangu, hakune chinhu pakati pefuma yangu chandisina kuvaratidza.

20:16b.2KI.020.016 Ipapo Isaya akati kuna Hezekia, Inzwa shoko raJehovha.

20:17b.2KI.020.017 Tarira, mazuva achasvika, nenguva iyo zvose zviri mumba mako nezvose zvakaunganidzwa namadzibaba ako kusvikira zuva ranhasi zvichaiswa Bhabhironi; hakuna chinhu chichasiyiwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.

20:18b.2KI.020.018 Vamwe vavanakomana vako, vachabva kwauri, vauchabereka, vachatapwa. vachava varanda mumba mamambo weBhabhironi.

20:19b.2KI.020.019 Ipapo Hezekia akati kuna Isaya, Shoko raJehovha, ramataura, rakanaka haro. Akatiwo, Ko handizvo here, kana rugare nezvokwadi zviripo hazvo pamazuva angu?

20:20b.2KI.020.020 Zvino mamwe mabasa aHezekia, nesimba rake, nokuita kwake dziva nomugero, nokusvitsa kwake mvura muguta, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?

20:21b.2KI.020.021 Hezekia akavata namadzibaba ake, Manase mwanakomana wake akamutevera paushe.

21

21:1b.2KI.021.001 Manase wakatanga kubata ushe ava namakore ane gumi namaviri; akabata ushe makore makumi mashanu namashanu paJerusaremu; zita ramai vake raiva Hefizibha.

21:2b.2KI.021.002 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akatevera zvinonyangadza zvavahedheni vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri.

21:3b.2KI.021.003 Nokuti wakavakazve matunhu akakwirira, akanga aparadzwa nababa vake Hezekia; akamutsira Bhaari aritari, akaisapo danda rokunamata naro, sezvakaita Ahabhi mambo waIsiraeri; akanamata hondo dzose dzokudenga, akadzishumira.

21:4b.2KI.021.004 Akavaka aritari mumba maJehovha, kunyange Jehovha akanga ati, PaJerusaremu ndipo pandichaisa zita rangu.

21:5b.2KI.021.005 Akavakira hondo dzose dzokudenga aritari muvazhe mbiri dzeimba yaJehovha.

21:6b.2KI.021.006 Akapinza mwanakomana wake mumoto, akatenda mashura, akaita mazango, akagadza masvikiro navauki; akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha, ndokumutsamwisa nazvo.

21:7b.2KI.021.007 Akaisa mufananidzo wedanda rokunamata naro raakaveza mumba makanzi naJehovha kuna Dhavhidhi nokuna Soromoni mwanakomana wake, Ndichaisa zita rangu nokusingaperi paimba ino napaJerusaremu, randakazvitsaurira pakati pamarudzi ose aIsiraeri.

21:8b.2KI.021.008 Handichazofambisa-fambisa tsoka dzavaIsiraeri kunze kwenyika yandakapa madzibaba avo; kana vachichenjera bedzi kuita zvandakavaraira, nomurayiro wose wavakarairwa naMozisi muranda wangu.

21:9b.2KI.021.009 Asi havana kuteerera; Manase akavatsausa vakaita zvakaipa kupfuura zvakaitwa nendudzi dzakaparadzwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri.

21:10b.2KI.021.010 Jehovha akataura navo navaporofita varanda vake, akati,

21:11b.2KI.021.011 Manase mambo waJudha zvaakaita zvinonyangadza izvi, akaita zvakaipa kupfuura zvose zvakaitwa navaAmori vakamutangira, akatadzisawo Judha nezvifananidzo zvake.

21:12b.2KI.021.012 Naizvozvo zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, Tarirai, ndichauyisira Jerusaremu naJudha zvakaipa zvikadai, kuti vose vanozvinzwa nzeve dzavo dzichaunga.

21:13b.2KI.021.013 Ndichayera Jerusaremu norwozi rwandakayera Samaria narwo, uye norwozi rwandakaruramisa imba yaAhabhi narwo; ndichapisika Jerusaremu somunhu unopisika ndiro, unoipisika akaitsindikira.

21:14b.2KI.021.014 Ndicharasha vakasara venhaka yangu, ndivaise mumaoko avavengi vavo; vachapedzwa nokuparadzwa navaven.gi vavo vose;

21:15b.2KI.021.015 nokuti vakaita zvakaipa pamberi pangu, vakanditsamwisa, kubva pazuva rokubuda kwamadzibaba avo paIjipiti kusvikira zuva ranhasi.

21:16b.2KI.021.016 Manase akateurawo ropa rakawanda risine mhosva, kusvikira azadza Jerusaremu kubva kurutivi rumwe kusvikira kuno rumwe rutivi; zvivi zvake zvaakatadzisa Judha nazvo, achiita zvakaipa pamberi paJehovha, zvisingaverengwi.

21:17b.2KI.021.017 Zvino mamwe mabasa aManase, nezvose zvaakaita, nezvivi zvake zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?

21:18b.2KI.021.018 Manase akavata namadzibaba ake, akavigwa mumunda weimba yake, mumunda waUza; Amoni mwanakomana wake akamutevera paushe. Amoni mambo waJudha

21:19b.2KI.021.019 Amoni wakatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namaviri akabata ushe paJerusaremu makore maviri; zita ramai vake rakanga riri Meshuremeti, mukunda waHaruzi weJotibha.

21:20b.2KI.021.020 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaita Manase baba vake.

21:21b.2KI.021.021 Akafamba nenzira yose yakafambwa nababa vake, akashumira zvifananidzo zvakashumirwa nababa vake, akazvinamata;

21:22b.2KI.021.022 akasiya Jehovha Mwari wamadzibaba ake, akasafamba nenzira yaJehovha.

21:23b.2KI.021.023 Zvino varanda vaAmoni vakamurangana vakamumukira, vakauraya mambo mumba make.

21:24b.2KI.021.024 Asi vanhu venyika iyo vakazouraya vose vakarangana vakamukira mambo Amoni; vanhu venyika iyo vakaita mwanakomana wake Josia mambo panzvimbo yake.

21:25b.2KI.021.025 Zvino mamwe mabasa aAmoni aakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?

21:26b.2KI.021.026 Akavigwa muhwiro hwake mumunda waUza; Josia mwanakomana wake akamutevera paushe.

22

22:1b.2KI.022.001 Josia wakatanga kubata ushe ava namakore masere; akabata ushe paJerusaremu makore makumi matatu nerimwe; zita ramai vake rakanga riri Jedhidha mukunda waAdhaya weBhozikati.

22:2b.2KI.022.002 Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, akafamba nenzira yose yaDhavhidhi baba vake, haana kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe.

22:3b.2KI.022.003 Zvino negore regumi namasere ramambo Josia, mambo akatuma munyori Shafani mwanakomana waAzaria, mwanakomana waMeshurami, kumba kwaJehovha, akati,

22:4b.2KI.022.004 Enda kuna Hirikia mupirisiti mukuru, umuudze averenge mari inoiswa mumba maJehovha, yakaunganidzwa navatariri vomukova kuvanhu;

22:5b.2KI.022.005 vaipe mumaoko avabati vebasa, vanotarira temberi yaJehovha; ivo vaipe vabati vebasa vari mumba maJehovha, kuti vagadzirise zvakaputsika paimba;

22:6b.2KI.022.006 ivo vavezi, navavaki, navanoronga mabwe, uye vatenge nayo matanda, namabwe akavezwa, kuti vagadzire temberi.

22:7b.2KI.022.007 Asi havana kubvunzwa pamusoro pemari yakaiswa mumaoko avo, nokuti vaibata vakatendeka.

22:8b.2KI.022.008 Ipapo Hirikia mupirisiti mukuru akati kuna Shafani munyori, Ndawana bhuku yomurayiro mumba maJehovha. Hirikia akapa Shafani bhuku yomurayiro, iye akairava.

22:9b.2KI.022.009 Zvino Shafani munyori akasvika kuna mambo, akadzoka neshoko kuna mambo, akati, Varanda venyu vadurura mari yakawanikwa mumba, vakaipa mumaoko avabati vebasa, vanotarira imba yaJehovha.

22:10b.2KI.022.010 Shafani munyori akati kuna mambo, mupirisiti Hirikia wandipa bhuku. Shafani akariravira mambo.

22:11b.2KI.022.011 Zvino mambo wakati achinzwa mashoko ebhuku yomurayiro, akabvarura nguvo dzake.

22:12b.2KI.022.012 Mambo akaraira mupirisiti Hirikia, naAhikami mwanakomana waShafani, naAkibhori mwanakomana waMikaya, naShafani munyori, naAsaya muranda wamambo, akati,

22:13b.2KI.022.013 Endai mundondibvunzira Jehovha, ini navanhu vavaJudha vose, pamusoro pamashoko ebhuku iyi yakawanikwa; nokuti kutsamwa kwaJehovha kwaakatitsamwira nako kukuru kwazvo, nokuti madzibaba edu havana kuteerera mashoko ebhuku iyi, havana kuita zvose zvatakarairwa.

22:14b.2KI.022.014 Naizvozvo mupirisiti Hirikia, naAhikami, naAkibhori, naShafani, naAsaya vakaenda kuna Huridha muporofitakadzi, mukadzi waSharumi mwanakomana waTikiva, mwanakomana waHarahasi, muchengeti wenguvo; (zvino iye mukadzi wakanga agere paJerusaremu kurutivi rutsva rweguta;) vakataurirana naye.

22:15b.2KI.022.015 Iye akati kwavari, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, Udzai munhu wakakutumai kwandiri muti,

22:16b.2KI.022.016 zvanzi naJehovha, tarirai, ndichauyisa zvakaipa pamusoro penzvimbo iyi, napamusoro pavagerepo, iwo mashoko ose ebhuku yakarahwa namambo weJudha;

22:17b.2KI.022.017 nokuti vakandirasha, vakapisira vamwe vamwari zvinonhuwira, vakanditsamwisa namabasa ose amaoko avo, naizvozvo kutsamwa kwangu kuchamukira nzvimbo iyi; hakungadzimwi.

22:18b.2KI.022.018 Asi muti kuna mambo waJudha wakakutumai kuzobvunza Jehovha, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, kana ari mashoko awakanzwa,

22:19b.2KI.022.019 moyo wako zvawakanga uri munyoro, ukazvininipisa pamberi paJehovha, nguva yawakanzwa zvandakataura pamusoro penzvimbo iyi, napamusoro pavageremo, kuti vachaitwa dongo nechinhu chakatukwa, wakabvarura nguvo dzako, wakachema pamberi pangu; zvino zvanzi naJehovha, Ini ndakunzwawo.

22:20b.2KI.022.020 Naizvozvo, tarira, ndichakuisa kuna madzibaba ako, uchavigwa muhwiro hwako norugare, meso ako haangawoni zvakaipa zvose zvandichauyisa pamusoro penzvimbo iyi. Vakadzoka neshoko kuna mambo.

23

23:1b.2KI.023.001 Zvino mambo akatuma vanhu vakaunganidza vakuru vose veJudha naveJerusaremu.

23:2b.2KI.023.002 Mambo akakwira kumba kwaJehovha, anavarume vose vaJudha, navose vakanga vagere Jerusaremu, navapirisiti navaporofita, navanhu vose, vaduku navakuru, akavaravira mashoko ose ebhuku yesungano yakawanikwa mumba maJehovha.

23:3b.2KI.023.003 Mambo akamira pambiru, akaita sungano pamberi paJehovha, akazvisunga kutevera Jehovha, nokuchengeta mirairo yake nezvipupuriro, nezvaakatema, nomoyo wake wose nomweya wake wose, kuti asimbise mashoko esungano iyi, akanga akanyorwa mubhuku iyi, vanhu vose vakasimbisa sungano iyo.

23:4b.2KI.023.004 Ipapo mambo akaraira mupirisiti mukuru Hirikia, navapirisiti vaimutevera, navatariri vomukova, kuti vabudise patemberi yaJehovha nhumbi dzose dzakanga dzaitirwa Bhaari neAshera nehondo dzose dzokudenga, akadzipisa kunze kweJerusaremu muruwa rwaKidhironi, akaisa madota adzo paBhetieri.

23:5b.2KI.023.005 Akaparadza vapirisiti vezvifananidzo, vakanga vagadzwa namadzimambo aJudha kuti vapise zvinonhuwira pamatunhu akakwirira mumaguta aJudha, nenzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, uye vose vaipisa zvinonhuwira kuna Bhaari, nezuva, nomwedzi, nenyeredzi, nehondo dzose dzokudenga.

23:6b.2KI.023.006 Akabudisawo Ashera mumba maJehovha, akaiisa kunze kweJerusaremu kurukova rwaKidhironi, akaipisa parukova rwaKidhironi, akaikuya ikaita madota, akakanda madota ayo pamusoro pamarinda avarombo.

23:7b.2KI.023.007 Akaputsawo dzimba dzavaSodhomu, dzakanga dziri paimba yaJehovha, pairukira vakadzi machira eAshera.

23:8b.2KI.023.008 Akabudisa vapirisiti vose mumaguta aJudha, akashatisa matunhu akakwirira, paipisira vapirisiti zvinonhuwira, kubva paGebha kusvikira paBheeri-shebha; akaputsa matunhu akakwirira pamasuo, aiva pavanopinda napo pasuo raJoshua mubati weguta, aiva kuruboshwe rwomunhu kana opinda nesuo reguta.

23:9b.2KI.023.009 Asi vapirisiti vamatunhu akakwirira havazaikwira kuaritari yaJehovha paJerusaremu, asi vaidya zvingwa zvisina kuviriswa vari pakati pehama dzavo.

23:10b.2KI.023.010 Akashatisa Tofeti raiva pamupata wavana vaHinomi, kuti kurege kuva nomunhu unopinza mwanakomana wake kana mwanasikana wake mumoto nokuda kwaMoreki.

23:11b.2KI.023.011 Akaputsa mabhiza akanga apiwa namadzimambo kuzokudza zuva pavanopinda napo paimba yaJehovha, pakamuri yaNatanimereki mutariri weimba yomukati yakanga iri pabiravira, akapisa ngoro dzezuva.

23:12b.2KI.023.012 Akaputsawo aritari dzaiva pamusoro pedenga rekamuri yokumusoro yaAhazi, dzakanga dzavakwa namadzimambo aJudha, nearitari dzakanga dzavakwa naManase muvazhe mbiri dzeimba yaJehovha, akadzikoromora, akakanda guruva radzo murukova Kidhironi.

23:13b.2KI.023.013 Mambo akashatisawo matunhu akakwirira aiva pamberi peJerusaremu, aiva kurudyi rwegomo rokuparadza, akanga avakirwa Ashitoreti, mwari unonyangadza wavaZidhoni, naKemoshi, mwari unonyangadza waMoabhu, naMirikomi, mwari unonyangadza wavana vaAmoni, naSoromoni mambo waIsiraeri.

23:14b.2KI.023.014 Akaputsanyawo shongwe dzamabwe, akaparadza matanda okunamata nawo, ndokuzadza nzvimbo yazvo namapfupa avanhu.

23:15b.2KI.023.015 Uye aritariwo yaiva paBhetieri nedunhu rakakwirira rakavakwa naJerobhoamu mwanakomana waNebhati, iye wakatadzisa Isiraeri, aritari iyo nedunhu iro rakakwirira akazviputsa, akapisa dunhu rakakwirira, akariputsanya rikaita huruva, akapisa danda rokunamata naro.

23:16b.2KI.023.016 Zvino Josia wakati achitendeuka, akaona marinda aiva mugomo, akatuma vanhu vakatora mapfupa aiva mumarinda, vakaapisa paaritari iyo, akaishatisa sezvakanga zvataurwa neshoko raJehovha rakaparidzwa nomunhu waMwari, iye wakadeya kuparidza zvinhu izvi.

23:17b.2KI.023.017 Zvino akati, Shongwe iyi yandinoona ndeyeiko? Vanhu veguta vakati kwaari, Ndiro rinda romunhu waMwari, wakadeya kubva kwaJudha, akaparidza zvinhu izvo zvamakaitira aritari yeBhetieri.

23:18b.2KI.023.018 Akati, Ngaazorore hake; ngakurege kuva nomunhu unobvisa mapfupa ake. Naizvozvo vakarega mapfupa ake pamwechete namapfupa omuporofita wakanga abva Samaria.

23:19b.2KI.023.019 Uye dzimba dzose dzamatunhu akakwirira dzaiva pamaguta eSamaria, dzakanga dzakavakwa namadzimambo aIsiraeri, vakatsamwisa Jehovha nadzo, idzo dzakabviswa naJosia, akadziitira zvose zvaakaita paBhetieri.

23:20b.2KI.023.020 Akauraya vapirisiti vose vamatunhu akakwirira vaivapo, pamusoro pearitari, akapisira pamusoro padzo mapfupa avanhu; akadzokera Jerusaremu.

23:21b.2KI.023.021 Zvino mambo akaraira vanhu vose, akati, Itirai Jehovha Mwari wenyu Pasika, sezvakanyorwa mubhuku iyi yesungano.

23:22b.2KI.023.022 Zvirokwazvo, havana kumboita Pasika yakadai, kubva pamazuva avatongi vaitonga Isiraeri, kana pamazuva ose amadzimambo aIsiraeri, kana madzimambo aJudha.

23:23b.2KI.023.023 Asi negore re gumi namasere ramambo Josia vakaitira Jehovha Pasika iyi paJerusaremu.

23:24b.2KI.023.024 Josia akabvisawo masvikiro ose, navaroyi, namaterafimi, nezvifananidzo, nezvose zvinonyangadza, zvakawanikwa munyika yaJudha napaJerusaremu, kuti asimbise mashoko omurayiro, akanga akanyorwa mubhuku yakawanikwa mumba maJehovha naHirikia mupirisiti.

23:25b.2KI.023.025 Hakuna mambo wakamutangira wakanga akafanana naye, wakatendeukira kuna Jehovha nomoyo wake wose, nomweya wake wose, nesimba rake rose, achitevera murayiro wose waMozisi; uye hakuna mumwe wakamutevera wakanga akafanana naye.

23:26b.2KI.023.026 Kunyange zvakadaro Jehovha haana kushandura kutsamwa kwake kukuru, kwakamutsa hasha dzake kuna Judha, nokuda kwokutsamwisa kwose kwaakatsamwiswa nako naManase.

23:27b.2KI.023.027 Jehovha akati, NaJudhawo ndichavabvisa pamberi pangu, sezvandakabvisa Isiraeri; ndicharamba guta iri reJerusaremu, randakazvitsaurira, neimba yandakati pamusoro payo, Zita rangu richagarapo.

23:28b.2KI.023.028 Zvino mamwe mabasa aJosia, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?

23:29b.2KI.023.029 Pamazuva ake Farao-neko mambo weIjipiti, akandorwa namambo weAsiria kurwizi Yufuratesi, mambo Josia akandorwa naye; asi wakati amuona, Farao-neko akamuuraya paMegidho.

23:30b.2KI.023.030 Varanda vake vakamutakura nengoro afa, vakabva naye paMegidho, vakamuisa Jerusaremu, vakamuviga muhwiro hwake. Zvino vanhu venyika vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosia, vakamuzodza, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake. Jehoahazi naJehoyakimu naJehoyakini madzimambo aJudha

23:31b.2KI.023.031 Jehoahazi wakatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namatatu, akabata ushe paJerusaremu mwedzi mitatu. Zita ramai vake rakanga riri Hamutari, mukunda waJeremiya weRibhina.

23:32b.2KI.023.032 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha sezvakaita madzibaba ake pazvose.

23:33b.2KI.023.033 Asi Farao-neko wakamusunga paRibhira munyika yeHamati, kuti arege kubata ushe paJerusaremu; akateresa nyika matarenda esirivha ane zana, netarenda rimwe rendarama.

23:34b.2KI.023.034 Farao-neko akaita Eriakimu mwanakomana waJosia mambo panzvimbo yaJosia baba vake, akashandura zita rake, rikazova Jehoyakimu; asi wakaenda naJehoahazi, akasvika Ijipiti, ndokufirako.

23:35b.2KI.023.035 Jehoyakimu akapa Farao sirivha nendarama, asi wakateresa nyika kuti agone kuripa mari sezvaakarairwa naFarao; akaripisa vanhu venyika sirivha nendarama, mumwe nomumwe sezvaakamutarira, kuti aipe Farao-neko.

23:36b.2KI.023.036 Jehoyakimu wakatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore gumi nerimwe. Zita ramai vake rakanga riri Zebhidha mukunda waPedhaya weRuma.

23:37b.2KI.023.037 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha sezvakaita madzibaba ake pazvose.

24

24:1b.2KI.024.001 Zvino pamazuva ake Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika, Jehoyakimu akaitwa muranda wake makore matatu; ipapo akamuramba akamumukira.

24:2b.2KI.024.002 Jehovha akatuma kwaari hondo dzavaKaradhea, nehondo dzavaSiria, nehondo dzavaMoabhu, nehondo dzavana vaAmoni, kuzorwa naye; akadzituma kuzoparadza Judha, sezvakarehwa neshoko raJehovha, raakataura nemiromo yavaranda vake vaporofita.

24:3b.2KI.024.003 Zvirokwazvo izvi zvakaitirwa Judha nokuraira kwaJehovha, kuti avabvise pamberi pake, nokuda kwezvivi zvaManase zvose zvaakaita;

24:4b.2KI.024.004 uye nokuda kweropa risine mhosva raakateura; nokuti wakazadza Jerusaremu neropa risine mhosva; Jehovha akaramba kuvakanganwira.

24:5b.2KI.024.005 Zvino mamwe mabasa aJehoyakimu, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?

24:6b.2KI.024.006 Jehoyakimu akavata namadzibaba ake, mwanakomana wake Jehoyakini akamutevera paushe.

24:7b.2KI.024.007 Mambo weIjipiti haana kuzobudazve munyika yake, nokuti mambo weBhabhironi wakanga akunda zvose zvaiva zvamambo weIjipiti, kubva parukova rweIjipiti kusvikira parwizi Yufuratesi.

24:8b.2KI.024.008 Jehoyakini wakatanga kubata ushe ava namakore gumi namasere, akabata ushe paJerusaremu mwedzi mitatu. Zita ramai vake rakanga riri Nehushuta mukunda waErinatani weJerusaremu.

24:9b.2KI.024.009 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaita madzibaba ake pazvose.

24:10b.2KI.024.010 Nenguva iyo varanda vaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, vakasvika Jerusaremu, vakakomba guta.

24:11b.2KI.024.011 Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, akasvika paguta, varanda vake vakarikomba.

24:12b.2KI.024.012 Zvino Jehoyakini mambo waJudha akabudira kuna mambo weBhabhironi, iye namai vake, navaranda vake, namachinda ake, navatariri vake; mambo weBhabhironi akamubata negore rorusere rokubata kwake ushe.

24:13b.2KI.024.013 Akaenda nefuma yose yeimba yaJehovha, nefuma yeimba yamambo, akatema-tema nhumbi dzose dzendarama dzakanga dzaitwa naSoromoni mambo welsiraeri mutemberi yaJehovha, sezvakanga zvataurwa naJehovha.

24:14b.2KI.024.014 Akatapa vose veJerusaremu, namachinda ose, nemhare dzose, vatapwa vanezvuru zvine gumi, nemhizha dzose navapfuri vose; hakuna vakasara, asi vanhu varombo venyika.

24:15b.2KI.024.015 Akatapawo Jehoyakini, akamuisa Bhabhironi; namai vamambo, navakadzi vamambo, navatariri vake, navakuru venyika, akavatapa paJerusaremu akavaisa Bhabhironi.

24:16b.2KI.024.016 Varume vose vaiva nesimba vane zviuru zvinomwe, nemhizha, navapfuri vane gumi ramazana, ava vose vaiva nesimba vaigona kurwa, mambo weBhabhironi wakavatapa, akavaisa Bhabhironi.

24:17b.2KI.024.017 Mambo weBhabhironi akaita Matania babamunini vaJehoyakimu, mambo panzvimbo yake, akashandura zita rake, akamutumidza Zedhekia. Zedhekia mambo wokupedzisira waJudha

24:18b.2KI.024.018 Zedhekia wakatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri nerimwe; akabata ushe paJerusaremu makore gumi nerimwe. Zita ramai vake rakanga riri Hamitari mukunda waJeremiya weRibhina.

24:19b.2KI.024.019 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha sezvakaita Jehoyakini pazvose.

24:20b.2KI.024.020 Nokuti izvozvo zvakaitirwa Jerusaremu naJudha nokuda kwokutsamwa kwaJehovha, kusvikira avarashira kure kwaari; Zedhekia akamukira mambo weBhabhironi.

25

25:1b.2KI.025.001 Zvino negore repfumbamwe rokubata kwake ushe, nomwedzi wegumi, nezuva regumi romwedzi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika, iye nehondo yake yose, kuzorwa neJerusaremu, vakadzika matende avopo, vakarikomba nenhare.

25:2b.2KI.025.002 Naizvozvo guta rakakombwa kusvikira pagore regumi nerimwe ramambo Zedhekia.

25:3b.2KI.025.003 Zvino negore repfumbamwe romwedzi wechina nzara ikanyanya kwazvo paguta, vanhu venyika iyo vakashaiwa zvokudya.

25:4b.2KI.025.004 Vakaputsa rusvingo rweguta, vanhu vose vehondo vakatiza usiku nenzira yesuo, pakati pamadziro maviri aiva pamunda wamambo; (zvino vaKaradhea vakanga vakakomba guta;) mambo akaenda nenzira yerenje.

25:5b.2KI.025.005 Asi hondo yavaKaradhea yakatevera mambo, vakamubata pamapani eJeriko, hondo yake yose ikapararira ikabva kwaari.

25:6b.2KI.025.006 Zvino vakabata mambo, vakaenda naye kuna mambo weBhabhironi paRibhira, vakamutongerapo.

25:7b.2KI.025.007 Vakauraya vana vaZedhekia achizviona, vakatumbura meso aZedhekia, vakamusunga namatare, vakamuisa Bhabhironi.

25:8b.2KI.025.008 Zvino nomwedzi wechishanu, nezuva rechinomwe romwedzi, negore regumi namapfumbamwe ramambo Nebhukadhinezari mambo weBhabhiron, Nebhuzaradhani mukuru wavarindi, muranda wamambo weBhabhironi akasvika Jerusaremu;

25:9b.2KI.025.009 akapisa imba yaJehovha, neimba yamambo; akapisawo dzimba dzose dzeJerusaremu, dzimba dzose huru, nomoto.

25:10b.2KI.025.010 Hondo yose yavaKaradhea, yakanga inomukuru wavarindi, ikaputsa masvingo eJerusaremu kunhivi dzose.

25:11b.2KI.025.011 Nebhuzaradhani mukuru wavarindi, akatapa vanhu vakanga vasara muguta, navakanga vatiza, vakaenda kuna mambo weBhabhironi, navakanga vasara kuvazhinji.

25:12b.2KI.025.012 Asi mukuru wavarindi wakasiya varombo venyika, kuti vave varimi veminda yemizambiringa nemimwe minda.

25:13b.2KI.025.013 VaKaradhea vakaputsanya mbiru dzendarira dzaiva mumba maJehovha, nezvingoro, nedziva rendarira, zvaiva mumba maJehovha, vakaenda nendarira yazvo Bhabhironi.

25:14b.2KI.025.014 vakatorawo hari nefoshoro nembato dzemwenje, nezvirongo, nenhumbi dzose dzendarira dzavaibata nadzo.

25:15b.2KI.025.015 Nezvaenga zvomoto, nembiya, nezvose zvaiva zvendarama nezvose zvaiva zvesirivha, mukuru wavarindi akazvitora.

25:16b.2KI.025.016 Nembiru mbiri, nedziva rimwe, nezvindori, zvakanga zvaitirwa imba yaJehovha naSoromoni; kurema kwendarira yenhumbi idzi dzose kwakanga kusingagoni kuyerwa.

25:17b.2KI.025.017 Kureba kwembiru imwe kwakasvika makubhiti ane gumi namasere, yaiva nomusoro wendarira pamusoro payo; kureba kwomusoro kwakasvika makubhiti matatu; uye kwakanga kune zvakarukwa, namatamba, zvaipoteredza musoro, zvose zviri zvendarira; mbiru yechipiri yakanga yakafanana neyiyi nezvakarukwawo.

25:18b.2KI.025.018 Mukuru wavarindi akatora Saraya mupirisiti mukuru, naZefaniya mupirisiti wechipiri, navarindi vatatu vomukova;

25:19b.2KI.025.019 uye paguta akatora mukuru waitarira varume vehondo, navarume vashanu vaisionana namambo, vaakawana muguta; nomunyori, nomukuru wehondo waiunganidza vanhu venyika, navarume vanamakumi matanhatu vavanhu venyika, vaakawana muguta.

25:20b.2KI.025.020 Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akavatora, akavaisa kuna mambo weBhabhironi paRibhira.

25:21b.2KI.025.021 Mambo weBhabhironi akavabaya, akavauraya paRibhira, panyika yeHamati. Naizvozvo vaJudha vakatapwa panyika yavo.

25:22b.2KI.025.022 Kana vari vanhu vakasiyiwa panyika yaJudha, vakasiyiwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, wakaita Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, mubati wavo.

25:23b.2KI.025.023 Zvino vakuru vose vehondo, ivo navanhu vavo, vakati vanzwa kuti mambo weBhabhironi wakanga aita Gedharia mubati wavo, vakaenda kuna Gedharia paMizipa, vaiti, Ishimaeri mwanakomana waNetania, naJohanani mwanakomana waKarea, naSeraya mwanakomana waTanhumeti muNetofati, naJaazania mwanakomana womuMaakati, ivo navanhu vavo.

25:24b.2KI.025.024 Gedharia akapika kwavari, ivo navanhu vavo, akati kwavari, Regai kutya nokuda kwavaranda vavaKaradhea; garai panyika, mushumire mambo weBhabhironi, mugofara henyu.

25:25b.2KI.025.025 Asi nomwedzi wechinomwe Ishimaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama, worudzi rwamambo, wakasvika anavarume vane gumi, akabaya Gedharia, akafa iye pamwechete navaJudha navaKaradhea vaiva naye paMizipa.

25:26b.2KI.025.026 Ipapo vanhu vose, vaduku navakuru, navakuru vehondo vakasimuka vakaenda Ijipiti, nokuti vakanga vachitya vaKaradhea.

25:27b.2KI.025.027 Zvino negore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoyakini mambo waJudha, nomwedzi wegumi nemiviri, nezuva ramakumi maviri namanomwe romwedzi, Evhiri-merodhaki mambo weBhabhironi, negore raakatanga kubata ushe naro, wakasimudza musoro waJehoyakini mambo waJudha, akamubvisa mutorongo;

25:28b.2KI.025.028 akataura naye nomoyo munyoro, akakudza chigaro chake choushe kupfuura zvigaro zvoushe zvamadzimambo aiva naye paBhabhironi.

25:29b.2KI.025.029 Akashandura nguvo dzake dzokusungwa, akaramba achidya zvokudya pamberi pake mazuva ose oupenyu hwake.

25:30b.2KI.025.030 Kana zviri zvokurarama nazvo, waisipiwa zvokurarama nazvo namambo nguva dzose, zuva rimwe nerimwe mugove waro, mazuva ose oupenyu hwake.


Holder of rights
Multilingual Bible Corpus

Citation Suggestion for this Object
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. 2 Kings (Shona). 2 Kings (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C578-3