1 Kings (Shona)

1 Kings (Shona)

1

1:1b.1KI.001.001 Zvino mambo Dhavhidhi wakanga akwegura, ava namakore mazhinji; vakamufukidza namachira, asi haana kudziyirwa.

1:2b.1KI.001.002 Naizvozvo varanda vake vakati kwaari, Ishe wangu mambo ngaatsvakirwe mhandara, iye amire pamberi pamambo, avachengete, avate pachipfuva chenyu, kuti ishe wangu mambo vadziyirwe.

1:3b.1KI.001.003 Ipapo vakatsvaka musikana wakanaka panyika yose yaIsiraeri, vakawana Abhishagi muShunami, vakamuisa kuna mambo.

1:4b.1KI.001.004 Uyu musikana wakanga akanaka kwazvo, akachengeta mambo, akamushandira, asi mambo haana kupinda kwaari.

1:5b.1KI.001.005 Zvino Adhonia mwanakomana waHagiti wakazvikudza, akati, Ini ndichava mambo; akazvigadzirira ngoro navatasvi vamabhiza, navarume vana makumi mashanu kuzomhanya pamberi pake.

1:6b.1KI.001.006 Asi baba vake vakanga vasina kutongomuraira paupenyu hwake hwose, vachiti, Unoitireiko kudaro? Wakanga ari murume wakanaka kwazvo pamuviri wake; wakanga achitevera Abhusaromu pakuzvarwa kwake.

1:7b.1KI.001.007 Akarangana naJoabhu, mwanakomana waZeruya, naAbhiatari mupirisiti, ivo vakatevera Adhonia, vakamubatsira.

1:8b.1KI.001.008 Asi Zadhoki mupirisiti, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, naNatani muporofita, naShimei, naRei, nemhare dzakanga dzina Dhavhidhi, havana kutevera Adhonia.

1:9b.1KI.001.009 Adhonia akabaya makwai nenzombe, nemhuru dzakakora, pabwe reZohereti, raiva paEni-rogeri, akadana hama dzake dzose ivo vanakomana vamambo, navarume vose vaJudha, varanda vamambo;

1:10b.1KI.001.010 asi haana kudana Natani muporofita, naBhenaya, nemhare, naSoromoni munununa wake.

1:11b.1KI.001.011 Ipapo Natani akataura naBhatishebha mai vaSoromoni, akati, Hauna kunzwa here kuti Adhonia mwanakomana waHagiti, wobata ushe, asi Dhavhidhi ishe wedu haazvizivi?

1:12b.1KI.001.012 Naizvozvo zvino uya ndikupe zano, kuti urwire upenyu bwako noupenyu bwomwanakomana wako Soromoni.

1:13b.1KI.001.013 Enda upinde kuna mambo Dhavhidhi, uti kwaari, Ishe wangu mambo, hamuna kupikira murandakadzi wenyu here, mukati, Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako, ndiye uchanditevera paushe, iye uchagara pachigaro chenyu choushe? Zvino Adhonia unobatireiko ushe?

1:14b.1KI.001.014 Zvino tarira, iwe uchiri pakutaura namambo, ini ndichapindawo shure kwako, ndichisimbisa mashoko ako.

1:15b.1KI.001.015 Bhati-shebha akapinda kuna mambo mumba; zvino mambo wakanga akwegura kwazvo, Abhishagi muShunami waishandira mambo.

1:16b.1KI.001.016 Ipapo Bhatishebha akakotama, akanamata kuna mambo. Mambo akati, Unoreveiko?

1:17b.1KI.001.017 Iye akati kwaari, Ishe wangu, imi makapikira murandakadzi wenyu naJehovha Mwari wenyu, mukati, Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako ndiye uchanditevera paushe, ndiye uchagara pachigaro changu choushe.

1:18b.1KI.001.018 Asi zvino tarirai, Adhonia wobata ushe; asi imi ishe wangu mambo, hamuzvizivi.

1:19b.1KI.001.019 Iye wabaya nzombe, nemhuru dzakakora, namakwai mazhinji, akadana vanakomana vose vamambo, naAbhiatari mupirisiti, naJoabhu mukuru wehondo, asi haana kudana Soromoni muranda wenyu.

1:20b.1KI.001.020 Zvino ishe wangu mambo, meso avaIsiraeri vose anotarira kwamuri, kuti muvaudze kuti ndianiko unofanira kukuteverai pakugara pachigaro choushe chashe wangu mambo.

1:21b.1KI.001.021 Kana musingadaro, kana ishe wangu mambo avata namadzibaba ake, ini nomwanakomana wangu Soromoni tichaidzwa vatadzi.

1:22b.1KI.001.022 Zvino wakati achataura namambo, Natani muporofita akapindawo.

1:23b.1KI.001.023 Vakaudza mambo, vakati, Natani muporofita wasvika. Iye wakati apinda pamberi pamambo, akakotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo.

1:24b.1KI.001.024 Zvino Natani akati, Ishe wangu, mambo, makareva here kuti Adhonia uchakuteverai pakubata ushe, uchagara pachigaro chenyu choushe here?

1:25b.1KI.001.025 Nokuti waburuka nhasi, akabaya nzombe nemhuru dzakakora, namakwai mazhinji, akadana vanakomana vose vamambo, navakuru vehondo, naAbhiatari mupirisiti; tarirai, vodya nokunwa pamberi pake, vachiti, Mambo Adhonia ngaararame

1:26b.1KI.001.026 Asi ini muranda wenyu, naZadhoki mupirisiti, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, nomuranda wenyu Soromoni, haana kutidana.

1:27b.1KI.001.027 Chinhu ichi chinoitwa nashe wangu mambo here, mukasazivisa varanda venyu kuti ndianiko unofanira kukuteverai pakugara pachigaro choushe chashe wangu mambo?

1:28b.1KI.001.028 Ipapo mambo Dhavhidhi akapindura, akati, Ndidanirei Bhati-shebha. Iye akapinda kuna mambo, akamira pamberi pamambo.

1:29b.1KI.001.029 Zvino mambo akapika, akati, NaJehovha mupenyu, iye wakadzikunura upenyu hwangu panjodzi dzose,

1:30b.1KI.001.030 zvirokwazvo, sezvandakakupikira naJehovha Mwari waIsiraeri, ndichiti, Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako uchanditevera paushe, uchagara pachigaro changu choushe panzvimbo yangu; zvirokwazvo ndichazviita nhasi.

1:31b.1KI.001.031 Ipapo Bhati-shebha akakotamira pasi nechiso chake, akapfugamira mambo, akati, Ishe wangu mambo Dhavhidhi ngaararame nokusingaperi.

1:32b.1KI.001.032 Mambo Dhavhidhi akati, Ndidanirei Zadhoki mupirisiti, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha. Ivo vakapinda kuna mambo.

1:33b.1KI.001.033 Mambo akati kwavari, Endai navaranda vashe wenyu, mutasvise Soromoni mwanakomana wangu pahesera rangu, mumuburusire Gihoni;

1:34b.1KI.001.034 Zadhoki mupirisiti naNatani muporofita vamuzodze ipapo, ave mambo waIsiraeri; muridze hwamanda, muchiti, Mambo Soromoni ngaararame.

1:35b.1KI.001.035 Zvino mukwire muchimutevera, iye auye kuzogara pachigaro choushe, nokuti uchava mambo panzvimbo yangu; ini ndakaraira kuti ave muchinda waIsiraeri nowaJudha.

1:36b.1KI.001.036 Ipapo Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, akapindura mambo, akati, Ameni! Jehovha, Mwari washe wangu mambo, unodarowo.

1:37b.1KI.001.037 Jehovha sezvaaiva nashe wangu mambo, saizvozvowo ngaave naSoromoni, akurise chigaro chake choushe, chipfuure chigaro choushe chashe wangu mambo Dhavhidhi.

1:38b.1KI.001.038 Ipapo Zadhoki mupirisiti, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, navaKereti navaPereti vakaburuka, vakatasvisa Soromoni pahesera ramambo Dhavhidhi, vakamuisa Gihoni.

1:39b.1KI.001.039 Zvino Zadhoki mupirisiti akatora gonamombe ramafuta paTende akazodza Soromoni. Vakaridza hwamanda, vanhu vose vakati, Mambo Soromoni ngaararame!

1:40b.1KI.001.040 Zvino vanhu vose vakakwira, vakamutevera; vanhu vakaridza nyere, vakafara nomufaro mukuru; naizvozvo nyika ikaunga nenzwi radzo.

1:41b.1KI.001.041 Zvino Adhonia navose vakanga vakokwa naye, vakazvinzwa, vapedza kudya. Ipapo Joabhu wakati achinzwa inzwi rehwamanda, akati, Mhere-mhere iyi inoitirweiko muguta, zvaranyonganiswa?

1:42b.1KI.001.042 Wakati achitaura, Jonatani mwanakomana waAbhiatari mupirisiti, akasvika; Adhonia akati kwaari, Pinda, nokuti uri munhu wakatendeka, unouya namashoko akanaka.

1:43b.1KI.001.043 Ipapo Jonatani akapindura, akati kuna Adhonia, Zvirokwazvo ishe wedu mambo Dhavhidhi wakagadza Soromoni paushe.

1:44b.1KI.001.044 Uye mambo wakatuma Zadhoki mupirisiti, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, navaKereti navaPereti, vakamutasvisa pahesera ramambo;

1:45b.1KI.001.045 uye Zadhoki mupirisiti, naNatani muporofita vakamuzodza paGihoni kuti ave mambo; vakabva ipapo, vakakwira nomufaro, naizvozvo guta rinowunga. Ndiyo mhere-mhere yamanzwa.

1:46b.1KI.001.046 Zvino Soromoni wogara pachigaro choushe.

1:47b.1KI.001.047 Uyewo, varanda vamambo vakaenda kuzokudza ishe wedu mambo Dhavhidhi, vachiti, Mwari ngaakurise zita raSoromoni, ripfuure zita renyu, akurise chigaro chake, chipfuure chigaro chenyu choushe; mambo akakotama panhovo dzake.

1:48b.1KI.001.048 Uyezve mambo wakataura akati, Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, wakagadza mumwe nhasi kuti agare pachigaro changu choushe, meso angu achizviona.

1:49b.1KI.001.049 Zvino vose vakanga vakakokwa naAdhonia vakatya, vakasimuka, mumwe nomumwe akaenda hake.

1:50b.1KI.001.050 Adhonia akatya nokuda kwaSoromoni, akasimuka, akandobata nyanga dzeatari.

1:51b.1KI.001.051 Zvino Soromoni akaudzwa, zvichinzi, Tarirai, Adhonia unotya mambo Soromoni, nokuti wandobata nyanga dzeatari, akati, Mambo Soromoni ngaandipikire nhasi, kuti haangaurayi muranda wake nomunondo.

1:52b.1KI.001.052 Ipapo Soromoni akati, Kana akazova munhu kwaye, ruvhudzi rwake kunyange rumwe harungawiri pasi; asi kana zvakaipa zvikawanikwa maari, uchafa.

1:53b.1KI.001.053 Naizvozvo mambo Soromoni akatuma vanhu, vakandomubvisa paatari. Akauya, akanamata kuna mambo Soromoni. Soromoni akati kwaari, Enda kumba kwako.

2

2:1b.1KI.002.001 Zvino mazuva aDhavhidhi okufa kwake akaswedera, akaraira Soromoni mwanakomana wake, akati,

2:2b.1KI.002.002 Ini ndoenda nenzira yenyika yose; naizvozvo iva nesimba, uve murume chaiye.

2:3b.1KI.002.003 Chengeta zvawakarairwa naJehovha Mwari wako, kuti ufambe nenzira dzake, uchichengeta zvaakatema, nemirairo yake, nezvaakatonga, nezvipupuriro zvake, sezvazvakanyorwa pamurayiro waMozisi, kuti ufare pazvose zvaunoita, uye kwose kwaunoenda.

2:4b.1KI.002.004 Kuti Jehovha asimbise shoko rake raakataura pamusoro pangu, achiti, Kana vana vako vakachenjera panzira dzavo, kuti vafambe pamberi pangu nezvokwadi nomoyo wavo wose uye nomweya wavo wose, (ndizvo zvaakataura), hakungazoshaikwi munhu pachigaro choushe chaIsiraeri.

2:5b.1KI.002.005 Uye unozivawo zvandakaitirwa naJoabhu, mwanakomana waZeruya, izvo zvaakaitira vakuru vaviri vehondo dzaIsiraeri, vanaAbhineri mwanakomana waNeri, naAmasa mwanakomana waJeteri, vaakauraya, akateura panguva yorugare ropa raifanira kuteurwa panguva yokurwa, akaisa ropa rokurwa pabhanhire rakanga riri pachiuno chake, nomushangu dzake dzakanga dziri patsoka dzake.

2:6b.1KI.002.006 Naizvozvo ita nokuziva kwako, urege kutendera musoro wake wachena kuburukira muhwiro norugare.

2:7b.1KI.002.007 Asi vanakomana vaBharizirai muGiriyadhi, uvaitire unyoro, vave pakati paivo vanodya patafura yako; nokuti vakauya kwandiri saizvozvo panguva yandakatiza pamberi paAbhusaromu mukuru wako.

2:8b.1KI.002.008 Tarira, kwauri kuna Shimei mwanakomana waGera, muBhenjamini weBhahurimi, iye, wakandituka nokutuka kwakaipa pazuva randakanga ndichienda Mahanaimi; asi wakazouya akasangana neni paJorodhani, ndikamupikira naJehovha, ndikati, Handingakuurayi nomunondo.

2:9b.1KI.002.009 Asi zvino usamurega ave somunhu usine mhosva, nokuti iwe uri munhu wakachenjera; uchaziva hako zvaunofanira kumuitira, unofanira kuburusira musoro wake wachena muhwiro neropa.

2:10b.1KI.002.010 Dhavhidi akazovata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi.

2:11b.1KI.002.011 Nguva yakabata Dhavhidhi ushe hwaIsiraeri aiva makore makumi mana; akabata paHebhuroni makore manomwe, uye akabata paJerusaremu makore makumi matatu namatatu. Soromoni anoraira kuti Adhonia, naJoabhu naShimei vaurawe, naAbhiatari abviswe paupirisiti

2:12b.1KI.002.012 Zvino Soromoni akagara pachigaro choushe chababa vake Dhavhidhi; ushe hwake hukasimba kwazvo.

2:13b.1KI.002.013 Ipapo Adhonia mwanakomana waHagiti, akasvika kuna Bhati-shebha mai vaSoromoni. Ivo vakati, Unouya norugare here? Iye akati, Hongu, norugare.

2:14b.1KI.002.014 Akatizve, Ndine chimwe chandinoda kukuudzai. Ivo vakati, Taura hako.

2:15b.1KI.002.015 Akati, Munoziva kuti ushe hwaiva hwangu, meso avalsiraeri vose ainditarira, kuti ndive mambo; asi ushe hwakashandurwa, hukazova hwomunununa wangu, nokuti hwakanga huri hwake nokuda kwaJehovha.

2:16b.1KI.002.016 Zvino ndinokumbira chinhu chimwe choga kwamuri; musandirambira henyu chinhu icho. Ivo vakati kwaari, Taura hako.

2:17b.1KI.002.017 Akati, Dotauriranai henyu namambo Soromoni, nokuti haangakurambiriyi chinhu, kuti andipe Abhishagi muShunami, ave mukadzi wangu.

2:18b.1KI.002.018 Bhati-shebha akati, Ndizvo hazvo, ndichakurevera kuna mambo.

2:19b.1KI.002.019 Naizvozvo Bhati-shebha akaenda kuna mambo Soromoni kundorevera Adhonia. Mambo akasimuka kuzosangana naye, akakotama pamberi pake, akagara pachigaro choushe, akaraira kuti chigaro choushe chigadzirirwe mai vamambo; ivo vakagara kurutivi rwake rworudyi.

2:20b.1KI.002.020 Ipapo vakati, Ndinokumbira kwauri chinhu chiduku; usandirambira hako chinhu ichi. Mambo akati kwavari, Kumbirai henyu, mai vangu, nokuti handingakurambiriyi icho.

2:21b.1KI.002.021 Vakati, Adhonia mukuru wako ngaapiwe Abhishagi muShunami, ave mukadzi wake.

2:22b.1KI.002.022 Ipapo mambo Soromoni akapindura, akati kuna mai vake, Munokumbirira Adhonia Abhishagi muShunami neiko? Mumukumbirireiwo ushe, nokuti ndiye mukuru wangu; mumukumbirirei iye, naAbhiatari mupirisiti, naJoabhu mwanakomana waZeruya.

2:23b.1KI.002.023 Ipapo mambo Soromoni akapika naJehovha, akati, Mwari ngaandirove, arambe achidaro, Adhonia ucharipira shoko iri noupenyu hwake.

2:24b.1KI.002.024 Naizvozvo zvino, naJehovha mupenyu, iye wakandisimbisa, akandigadza pachigaro choushe chababa vangu Dhavhidhi, akandimutsira imba sezvaakandipikira, zvirokwazvo Adhonia uchaurawa nhasi.

2:25b.1KI.002.025 Ipapo mambo Soromoni akatuma Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, iye akamuvamba akamuuraya.

2:26b.1KI.002.026 Mambo akati kuna Abhiatari mupirisiti, Enda Anatoti kunyika yako, nokuti waifanira kufa; asi handingakuurayi nhasi, nokuti wakambotakura areka yaJehovha Mwari pamberi pababa vangu Dhavhidhi, uye nokuti wakatambudzika pamwechete nababa vangu pakutambudzika kwavo kwose.

2:27b.1KI.002.027 Naizvozvo Soromoni akadzinga Abhiatari, kuti arege kuva mupirisiti pamberi paJehovha; kuti aite shoko raJehovha, raakanga ataura pamusoro peimba yaEri paShiro.

2:28b.1KI.002.028 Zvino shoko iro rikasvika kuna Joabhu, nokuti Joabhu wakanga atevera Adhonia, kunyange asina kutevera Abhusaromu. Joabhu akatizira kuTende raJehovha, akandobata nyanga dzeatari.

2:29b.1KI.002.029 Ipapo mambo Soromoni akaudzwa, zvichinzi, Joabhu watizira kuTende raJehovha, tarirai, ari paatari. Ipapo Soromoni akatuma Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, akati, Enda undomuvamba.

2:30b.1KI.002.030 Bhenaya akaenda kuTende raJehovha, akati kwaari, Zvanzi namambo, Budai! Iye akati, Kwete, ndichafira pano hangu. Bhenaya akaudza mambozve, akati, Ndizvo zvataura Joabhu, ndizvo zvaandipindura.

2:31b.1KI.002.031 Ipapo mambo akati kwaari, Ita sezvaataura, umuvambe, ugomuviga; kuti ubvise kwandiri napaimba yababa vangu ropa rakateurwa naJoabhu rakanga risine mhosva.

2:32b.1KI.002.032 Jehovha uchadzosera ropa rake pamusoro wake, nokuti wakauraya vanhu vaviri vakanga vakamupfuura pakururama nokunaka, akavauraya nomunondo, baba vangu Dhavhidhi vasingazvizivi, iye Abhineri mwanakomana waNeri, mukuru wehondo yaIsiraeri, naAmasa mwanakomana waJeteri, mukuru wehondo yaJudha.

2:33b.1KI.002.033 Naizvozvo ropa ravo richadzokera pamusoro waJoabhu napamisoro yorudzi rwake nokusingaperi; asi rugare runobva kuna Jehovha ruchava naDhavhidhi, norudzi rwake, neimba yake, nechigaro chake choushe nokusingaperi.

2:34b.1KI.002.034 Ipapo Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, akaenda, akamuvamba, ndokuuraya; akavigwa mumba make murenje.

2:35b.1KI.002.035 Zvino mambo akagadza Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, panzvimbo yake ave mukuru wehondo; mambo akagadzawo Zadhoki ave mupirisiti panzvimbo yaAbhiatari.

2:36b.1KI.002.036 Mambo akatuma munhu kundodana Shimei, akati kwaari, Uzvivakire imba paJerusaremu, ugarepo, usabvapo uchienda kumwe.

2:37b.1KI.002.037 Nokuti nomusi waunobuda nawo, ukayambuka rukova Kidhironi, uzive kwazvo kuti uchaurawa zvirokwazvo; ropa rako richava pamusoro wako.

2:38b.1KI.002.038 Ipapo Shimei akati kuna mambo, Ishoko rakanaka; muranda wenyu uchaita sezvakarehwa nashe wangu mambo. Shimei akagara mazuva mazhinji paJerusaremu.

2:39b.1KI.002.039 Zvino makore matatu akati apfuura, varanda vaviri vaShimei vakatizira kuna Akishi mwanakomana waMaaka, mambo weGati. Vakaudza Shimei, vachiti, Tarira varanda vako vari Gati.

2:40b.1KI.002.040 Ipapo Shimei akasimuka, akasungira chigaro pambongoro yake, akaenda Gati kuna Akishi, kundotsvaka varanda vake; Shimei akatora varanda vake Gati.

2:41b.1KI.002.041 Zvino Soromoni akaudzwa kuti Shimei wakanga abuda Jerusaremu, akaenda Gati, akadzokazve.

2:42b.1KI.002.042 Mambo akatuma munhu kundodana Shimei, akati kwaari, Handina kukupikisa naJehovha here, ndikakunyevera, ndichiti, Uzive kwazvo kuti nomusi waunobuda nawo, ukafamba kumwe, uchaurawa zvirokwazvo? Iwe ukati kwandiri, Shoko randanzwa rakanaka.

2:43b.1KI.002.043 Zvino wakaregereiko kuchengeta mhiko yawakapika kuna Jehovha, nomurayiro wandakakuraira?

2:44b.1KI.002.044 Mambo akatiwo kuna Shimei, Iwe unoziva kwazvo zvakaipa zvose zvawakaitira baba vangu Dhavhidhi; naizvozvo Jehovha uchadzosera zvakaipa zvako pamusoro wako.

2:45b.1KI.002.045 Asi mambo Soromoni ucharopafadzwa, nechigaro choushe chaDhavhidhi chichasimbiswa pamberi paJehovha nokusingaperi.

2:46b.1KI.002.046 Naizvozvo mambo akaraira Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, iye akaenda, akandomuvamba, ndokumuuraya. Naizvozvo ushe, hwakanga hwakabatwa naSoromoni, hwakasimbiswa.

3

3:1b.1KI.003.001 Zvino Soromoni wakaita ukama naFarao, mambo weIjipiti, akawana mukunda waFarao, akamuisa kuguta raDhavhidhi, kusvikira apedza kuvaka imba yake neimba yaJehovha, norusvingo runopoteredza Jerusaremu.

3:2b.1KI.003.002 Asi vanhu vakabayira zvibayiro pamatunhu akakwirira, nokuti kusvikira mazuva iwayo zita raJehovha rakanga richigere kuvakirwa imba.

3:3b.1KI.003.003 Soromoni akada Jehovha, akafamba nemitemo yababa vake Dhavhidhi; asi wakabayira zvibayiro nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira.

3:4b.1KI.003.004 Zvino mambo akaenda Gibhiyoni kundobayirapo, nokuti ndiwo wakanga uri mutunhu mukuru wakakwirira; Soromoni akabayira paaritari iyo zvipiriso zvinopiswa zvine chiuru chimwe.

3:5b.1KI.003.005 Jehovha akazviratidza kuna Soromoni paGibhiyoni nokurota usiku. Mwari akati, Kumbira chaunoda kuti ndikupe.

3:6b.1KI.003.006 Soromoni akati, Makaitira muranda wenyu Dhavhidhi, baba vangu, unyoro hukuru, zvaakafamba pamberi penyu nezvokwadi, nokururama, nomoyo wakanaka kwamuri; mukamuchengeterawo unyoro uhu hukuru, zvamakamupa mwanakomana kugara pachigaro chake choushe, sezvazvakaita nhasi.

3:7b.1KI.003.007 Zvino Jehovha Mwari wangu, makaita muranda wenyu mambo panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi, asi ndiri mwana hangu, handizivi mutowo wokubuda nawo kana kupinda nawo.

3:8b.1KI.003.008 Muranda wenyu uri pakati pavanhu venyu vamakatsaura, vanhu vazhinji kwazvo, vasingagoni kurahwa kana kuverengwa nokuwanda kwavo.

3:9b.1KI.003.009 Naizvozvo ipai muranda wenyu moyo unonzwisisa, kuti nditambe mhaka dzavanhu venyu, ndizive kutsaura pakati pezvakanaka nezvakaipa; nokuti ndianiko anogona kutamba mhaka dzavanhu venyu ava vakawanda?

3:10b.1KI.003.010 Zvino kutaura uku kwakafadza Ishe, kuti Soromoni wakakumbira chinhu ichi.

3:11b.1KI.003.011 Ipapo Mwari akati kwaari, Zvawakumbira chinhu ichi, ukasazvikumbirira upenyu hwamazuva mazhinji, kana kuzvikumbirira fuma, kana kukumbira kuti vavengi vako vafe; asi wakazvikumbirira kungwara, kuti unzwisise kutamba mhaka;

3:12b.1KI.003.012 tarira, ndaita sezvawataura; tarira ndakupa moyo waka ngwara, unonzwisisa; naizvozvo hakuna kumbova nomumwe wakafanana newe, kana shure kwako hakungazovi nomunhu ungafanana newe.

3:13b.1KI.003.013 Ndakupawo zvausina kukumbira, fuma nokukudzwa; naizvozvo hakungazovi nomumwe pakati pamadzimambo ungafanana newe pamazuva ako ose.

3:14b.1KI.003.014 Kana ukada kufamba nenzira dzangu, nokuchengeta mitemo yangu nemirairo yangu, sezvakafamba baba vako Dhavhidhi, ipapo ndichawanza mazuva ako.

3:15b.1KI.003.015 Ipapo Soromoni akamuka, akaona kuti kwakanga kuri kurota; akaenda Jerusaremu, akamira pamberi peareka yesungano yaJehovha, akabayira zvipiriso zvinopiswa, akabayirawo zvipiriso zvokuyananisa, akaitira varanda vake vose mutambo.

3:16b.1KI.003.016 Zvino vakadzi vaviri, vaiva zvifeve, vakasvika kuna mambo, vakamira pamberi pake.

3:17b.1KI.003.017 Mumwe mukadzi akati, Haiwa, ishe wangu, ini nomukadzi uyu tigere paimba imwe; ini ndikapona mwana ndigere naye paimba.

3:18b.1KI.003.018 Zvino ini ndakati ndapona mazuva matatu, mukadzi uyu akaponawo, tigere pamwechete; kwakanga kusino mweni nesu mumba, asi isu vaviri toga mumba.

3:19b.1KI.003.019 Zvino mwana womukadzi uyu akafa usiku, nokuti wakavata pamusoro pake.

3:20b.1KI.003.020 Akamuka pakati pausiku, akatora mwanakomana wangu parutivi rwangu, murandakadzi wenyu avete, akamuradzika pachipfuva chake, akaradzika mwana wake wakafa pachipfuva changu.

3:21b.1KI.003.021 Zvino ndakati ndichimuka mangwanani kuzomwisa mwana wangu, ndikawana akafa; asi ndakati ndichimucherekedza mangwanani, wonei haazi mwanakomana wangu, wandakabereka.

3:22b.1KI.003.022 Ipapo mumwe mukadzi wakati, Kwete, asi mupenyu ndiye mwanakomana wangu, wakafa ndiye mwanakomana wako; uyu akati, Kwete, asi wakafa ndiye mwanakomana wako, mupenyu ndiye mwanakomana wangu. Vakataura saizvozvo pamberi pamambo.

3:23b.1KI.003.023 Ipapo mambo akati, Mumwe unoti, Mwanakomana wangu ndouyu mupenyu, mwana wako ndiye wakafa, mumwezve unoti, Kwete, asi mwanakomana wako ndiye wakafa, mupenyu ndiye mwanakomana wangu.

3:24b.1KI.003.024 Mambo akati, Nditorerei munondo. Vakauya nomunondo kuna mambo.

3:25b.1KI.003.025 Mambo akati, Gurai mwana mupenyu napakati, mupe mumwe rutivi rumwe, nomumwe rumwe rutivi.

3:26b.1KI.003.026 Ipapo mukadzi waiva mai womwana mupenyu akataura kuna mambo, nokuti moyo wake wakava pamusoro pomwanakomana wake, akati, Haiwa, ishe wan.gu, mumupe henyu mwana mupenyu, regai kumuuraya. Asi mumwe wakati, Ngaachirega kuva wangu kana wako, mugurei.

3:27b.1KI.003.027 Ipapo mambo akapindura, akati, Mumupe mwana mupenyu, regai kumuuraya, ndivo mai vake.

3:28b.1KI.003.028 Valsiraeri vose vakanzwa kutonga kwamambo, vakatya mambo; nokuti vakaona kuti kungwara kwaMwari kwaiva maari, kuti atambe mhaka zvakanaka.

4

4:1b.1KI.004.001 Zvino mambo Soromoni wakanga ari mambo wavaIsiraeri vose.

4:2b.1KI.004.002 Ndiwo machinda aaiva nawo: Azaria mwanakomana waZadhoki waiva mupirisiti;

4:3b.1KI.004.003 Erihorefi naAhija, vanakomana vaShisha, vaiva vanyori; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi waiva sahwira.

4:4b.1KI.004.004 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, waiva mukuru wehondo, Zadhoki naAbhiatari vaiva vapirisiti;

4:5b.1KI.004.005 Azaria mwanakomana waNatani, waiva mukuru wavatariri; Zabhudhi mwanakomana waNatani waiva mupirisiti, shamwari yamambo.

4:6b.1KI.004.006 Abhishari waiva mutariri weimba; Adhoniramu mwanakomana waAbhidha, waiva mutariri wechibharo.

4:7b.1KI.004.007 Soromoni waiva navatariri vane gumi navaviri vairaira vaIsiraeri vose, vaitsvakira mambo neimba yake zvokudya; mumwe nomumwe waifanira kutsvaka zvokudya zvomwedzi mumwe gore rimwe nerimwe.

4:8b.1KI.004.008 Ndiwo mazita avo: Bhehuri, munyika yamakomo yaEfuremu;

4:9b.1KI.004.009 naBhenedhekeri paMakazi, napaSharibhimi, neBhetishemeshi, neEronibhetihananai;

4:10b.1KI.004.010 naBhenihesedhi paArubhoti; iye wakanga ane shoko, nenyika yose yeHeferi;

4:11b.1KI.004.011 naBheniabhinadhabhi panyika yose yeDhori; mukadzi wake wakanga ari Tafati, mukunda waSoromoni;

4:12b.1KI.004.012 naBhaana mwanakomana waAhirudhi, paTaanaki neMegidho, nenyika yose yeBhetisheani, iri parutivi rweZaretani, pazasi peJezereeri, kubva paBhetisheani kusvikira paAbherimehora seri kweJokimeami;

4:13b.1KI.004.013 naBhenigebheri paRamotiGiriyadhi; iye wakanga ane misha yaJairi, mwanakomana waManase, yaiva paGiriyadhi; iye wakanga ane nyika yeArigobhi, iri paBhashani, maguta makumi matanhatu aiva namasvingo namazariro endarira;

4:14b.1KI.004.014 naAhinadhabhi mwanakomana waIdho, paMahanaimi;

4:15b.1KI.004.015 naAhimaazi paNafitari; iye wakanga awanawo Bhasemati mukunda waSoromoni;

4:16b.1KI.004.016 naBhaana mwanakomana waHushai, paAsheri nebhiyaroti;

4:17b.1KI.004.017 naJosafati mwanakomana waParua, paIsakari;

4:18b.1KI.004.018 naShimei mwanakomana waEra, paBhenjamini;

4:19b.1KI.004.019 naGebheri mwanakomana waUri, waiva panyika yeGiriyadhi, nyika yaSihoni, mambo wavana vaAmori neyaOgi, mambo weBashani; iye wakanga ari mutariri mumwe woga panyika iyo.

4:20b.1KI.004.020 VaJudha navalsiraeri vakanga vari vazhinji, vakanga vakawanda sejecha pagungwa, vakadya, vakanwa, vakafara.

4:21b.1KI.004.021 Zvino Soromoni wakabata ushe hwose, kubva paRwizi kusvikira kunyika yavaFirisitia, nokusvikira kumuganhu weIjipiti; vanhu vakauya nezvipo, vakashumira Soromoni mazuva ose oupenyu hwake.

4:22b.1KI.004.022 Zvokudya zvaSoromoni zvezuva rimwe zvaiva zviyero zvina makumi matatu zvoupfu hwakatsetseka nezviyero zvina makumi matanhatu zvoupfu;

4:23b.1KI.004.023 nenzombe dzina makumi maviri dzokumafuro, namakwai ane zana, nenondo, nemhara, nemhembwe, neshiri dzakakodzwa.

4:24b.1KI.004.024 Nokuti wakabata ushe panyika yose nechokuno kwoRwizi, kubva paTifisa kusvikira paGaza, namadzimambo ose aiva nechokuno kwoRwizi; akava norugare kunhivi dzose dzakanga dzakamupoteredza.

4:25b.1KI.004.025 VaJudha navaIsiraeri vakanga vagere zvakanaka, mumwe nomumwe pasi pomuzambiringa wake napasi pomuwonde wake, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha, mazuva ose aSoromoni.

4:26b.1KI.004.026 Soromoni wakanga ane zvidyiro zvine zviuru zvina makumi mana zvamabhiza engoro dzake, navatasvi vane zviuru zvine gumi nezviviri.

4:27b.1KI.004.027 Vatariri ava vaitsvakira mambo Soromoni zvokudya, navose vaidya patafura yamambo Soromoni, mumwe nomumwe nomwedzi wake; havana kushaisa chinhu chimwe.

4:28b.1KI.004.028 Nebhari nouswa hwamabhiza namabhiza aimhanyisa vakauya nazvo panzvimbo yakafanira, mumwe nomumwe sezvaakanga arairwa.

4:29b.1KI.004.029 Mwari akapa Soromoni kungwara nokunzwisisa kukuru, nomoyo wakaziva zvakanaka, zvakafanana nejecha riri pamhenderekedzo yegungwa.

4:30b.1KI.004.030 Kungwara kwaSoromoni kwakapfuura kungwara kwavana vamabvazuva, nokungwara kwose kwavaIjipiti.

4:31b.1KI.004.031 Nokuti wakapfuura vanhu vose nokungwara; wakakunda Etani muEzirahi, naHemani, naKarikori, naDharidha, vana vaMahori; mukurumbira wake ukasvika kundudzi dzose dzakanga dzakavapoteredza.

4:32b.1KI.004.032 Wakataurawo shumo dzine zviuru zvitatu, uye nziyo dzake dzakasvika chiuru chimwe neshanu.

4:33b.1KI.004.033 Akataura zvemiti, kubva pamisidhari iri paRebhanoni kusvikira pamuhisopi unomera parusvingo; akataurawo zvemhuka, neshiri, nezvinokambaira, nehove.

4:34b.1KI.004.034 Vanhu vamarudzi ose vakauya kuzonzwa kungwara kwaSoromoni, vakabva kumadzimambo ose enyika, vakanga vanzwa zvokungwara kwake.

5

5:1b.1KI.005.001 Zvino Hiramu, mambo weTire, wakatumira varanda vake kuna Soromoni, nokuti wakanga anzwa kuti vakamuzodza ave mambo panzvimbo yababa vake; nokuti Hiramu wakanga achida Dhavhidhi nguva yose.

5:2b.1KI.005.002 Soromoni akatuma nhume kuna Hiramu akati,

5:3b.1KI.005.003 Munoziva kuti Dhavhidhi baba vangu, vakanga vasingagoni kuvakira zita raJehovha Mwari wavo imba, nokuda kwehondo dzairwiwa kumativi ose, kusvikira Jehovha avaisa pasi petsoka dzake.

5:4b.1KI.005.004 Asi zvino Jehovha Mwari wangu wakandizorodza kumativi ose, hakuna muvengi kana chimwe chinhu chakaipa.

5:5b.1KI.005.005 Zvino tarirai, moyo wangu unoda kuvakira zita raJehovha Mwari wangu imba, sezvakataurwa naJehovha kuna baba vangu, achiti, Mwanakomana wako, wandichagadza pachigaro chako choushe panzvimbo yako, ndiye uchavakira zita rangu imba.

5:6b.1KI.005.006 Naizvozvo zvino, chirairai kuti vanditemere miti yemisidhari paRebhanoni; varanda vangu vachabata pamwechete navaranda venyu; ini ndichakupai mubayiro wava randa venyu sezvamuchareva; nokuti munoziva kuti pakati pedu hapana munhu unoziva kutema matanda ungafanana navaZidhoni.

5:7b.1KI.005.007 Zvino Hiramu wakati achinzwa mashoko aSoromoni, akafara kwazvo, akati, Nhasi Jehovha ngaavongwe, iye wakapa Dhavhidhi mwanakomana wakangwara kuzobata vanhu ava vazhinji.

5:8b.1KI.005.008 Ipapo Hiramu akatuma nhume kuna Soromoni, akati, Ndanzwa shoko ramatuma kwandiri; ndichaita zvose zvamunoda pamusoro pamatanda emisidhari, namatanda emisipiresi.

5:9b.1KI.005.009 Varanda vangu vachaaburusa paRebhanoni vachiaisa kugungwa; ndichaabatanidza aende negungwa sezvamuchandiraira, ndicharaira kuti asunungurwe ipapo, muagamuchire; imi mugoita sezvandinoda, muchipa vanhu veimba yangu zvokudya.

5:10b.1KI.005.010 Naizvozvo Hiramu akapa Soromoni matanda emisidhari namatanda emisipiresi, zvose sezvaaida.

5:11b.1KI.005.011 Soromoni akapawo Hiramu zviyero zvine zviuru zvamakumi maviri zvezviyo zvive zvokudya zvavanhu veimba yake; nezviyero zvina makumi maviri zvamafuta akasvinwa; Soromoni akapa Hiramu saizvozvo gore rimwe nerimwe.

5:12b.1KI.005.012 Jehovha akapa Soromoni kungwara, sezvaakamupikira; Hiramu naSoromoni vainzwana, ivo vaviri vakaita sungano.

5:13b.1KI.005.013 Mambo Soromoni akadana vanhu vechibharo pakati pavaIsiraeri vose; vanhu vechibharo vaiva zviuru zvina makumi matatu.

5:14b.1KI.005.014 Akavatumira Rebhanoni, mwedzi mumwe nomumwe zviuru zvine gumi, vachiravana; vaiva paRebhanoni mwedzi mumwe, nokumusha mwedzi miviri; Adhoniramu ndiye wairaira vanhu vechibharo.

5:15b.1KI.005.015 Uye Soromoni wakanga ana vatakuri vemitoro vane zviuru makumi manomwe, navatemi vamatanda pamakomo vane zviuru zvina makumi masere;

5:16b.1KI.005.016 vatariri vakuru vaSoromoni, vairaira basa, vasingaverengwi, ivo vaiva nezviuru zvitatu namazana matatu, vairaira vanhu vaibate basa.

5:17b.1KI.005.017 Mambo akaraira, vakaputsa mabwe makuru, mabwe aikosha, kuti vateye nheyo dzeimba namabwe akavezwa.

5:18b.1KI.005.018 Vavaki vaSoromoni navavaki vaHiramu navaGhebhari vakaaveza, vakagadzira matanda namabwe kuzovaka imba.

6

6:1b.1KI.006.001 Zvino pagore ramazana mana namakumi masere shure kwokubuda kwavana vaIsiraeri panyika yeIjipiti, pagore rechina rokubata ushe kwaSoromoni pakati paIsiraeri, nomwedzi weZifi, ndiwo mwedzi wechipiri, wakatanga kuvaka imba yaJehovha.

6:2b.1KI.006.002 Imba yakavakirwa Jehovha namambo Soromoni yakasvika makubhiti makumi matanhatu pakureba kwayo, namakubhiti maviri paupamhi hwayo, namakubhiti makumi matatu pakukwirira kwayo;

6:3b.1KI.006.003 uye biravira pamberi petemberi yeimba yaJehovha rakasvika makubhiti makumi maviri pakureba kwaro, zvichienzana noupamhi hweimba; upamhi hwaro hwakasvika makubhiti ane gumi pamberi peimba.

6:4b.1KI.006.004 Akaitirawo imba mahwindo ezvitanda zvakachinjikwa.

6:5b.1KI.006.005 Akavaka dzimba dzakaturikidzana pachidziro cheimba kunhivi dzose, pamadziro eimba kunhivi dzose, etemberi napaitaura Jehovha; akaitawo makamuri panhivi dzose dzakapoteredza;

6:6b.1KI.006.006 upamhi hweimba yapanyasi hwaiva namakubhiti mashanu, noupamhi hweimba yapakati makubhiti matanhatu, noupamhi hweimba yechitatu makubhiti manomwe; nokuti nechokunze wakavaka zvitukuriso pamadziro eimba kunhivi dzose, kuti matanda arege kupinda mukati mamadziro eimba.

6:7b.1KI.006.007 Zvino imba pakuvakwa kwayo, yakavakwa namabwe akanga agadzirwa ipapo pavaiputsa; pakuvakwa kwayo hakuna kunzwika mukati meimba nyundo, kana sanhu, kana nhumbi ipi neipi yedare.

6:8b.1KI.006.008 Mukova wamakamuri apanyasi enhivi wakanga uri kurutivi rworudyi rweimba; zvino vaikwira nezvikwiriso zvinomonereka kumakamuri apakati, uye kana vobva panaapakati vachienda kuneechitatu.

6:9b.1KI.006.009 Naizvozvo akavaka imba, akaipedza; ndokufukidza imba namatanda uye namapuranga emisidhari.

6:10b.1KI.006.010 Akavaka dzimba dzakaturikidzana paimba yose, imwe neimwe yakanga yakaita makubhiti mashanu pakukwirira kwayo, dzikabatanidzwa paimba namatanda emisidhari.

6:11b.1KI.006.011 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Soromoni, richiti,

6:12b.1KI.006.012 Kana iri imba iyi yaunovaka, kana ukafamba nemitemo yangu, ukaita zvandakatonga, ukachengeta mirairo yangu yose ukafamba nayo, ini ndichasimbisa shoko rangu newe, iro randakataura kuna Dhavhidhi baba vako.

6:13b.1KI.006.013 Ndichagara pakati pavana vaIsiraeri, handingarashi vanhu vangu vaIsiraeri.

6:14b.1KI.006.014 Naizvozvo Soromoni akavaka imba, akaipedza.

6:15b.1KI.006.015 Akavaka madziro eimba mukati namapuranga omusidhari; kubva paguva reimba kusvikira padenga ramadziro, akafukidza nechomukati namapuranga, akafukidza guva reimba namapuranga omusipiresi.

6:16b.1KI.006.016 Akavakawo necheshure kweimba imwe imba yakasvika makubhiti ana makumi maviri namapuranga omusidhari kubva paguva kusvikira pamusoro pamadziro; akaivaka iyo pave pangataura Jehovha, iri nzvimbo tsvene-tsvene.

6:17b.1KI.006.017 Zvino imba, iyo temberi, yakanga iri pamberi, yakasvika makubhiti makumi mana.

6:18b.1KI.006.018 Matanda omusidhari mukati meimba akanga akavezwa namafundo namaruva akazaruka; yaiva misidhari yoga, kwanga kusinebwe rakaonekwa.

6:19b.1KI.006.019 Akagadzira pangataura Jehovha mukati meimba, kuti agadzikepo areka yesungano yaJehovha.

6:20b.1KI.006.020 Pangataura Jehovha mukati pakasvika makubhiti makumi maviri paupamhi hwapo, namakubhiti makumi maviri pakukwirira kwapo; akazvifukidza zvose nendarama yakaisvonaka; nearitari akaifukidza nomusidhari.

6:21b.1KI.006.021 Naizvozvo Soromoni wakafukidza imba yose nechomukati mayo nendarama yakaisvonaka; akachinjikisa maketani endarama pamberi pangataura Jehovha, akaifukidza nendarama.

6:22b.1KI.006.022 Akafukidza imba yose nendarama kusvikira imba yose yapera; akafukidzawo aritari yose yaiva yapangataura Jehovha nendarama.

6:23b.1KI.006.023 Akaitira pangataura Jehovha makerubhi maviri omuorivhi, rimwe nerimwe rakasvika makubhiti ane gumi pakureba.

6:24b.1KI.006.024 Bapiro rimwe rekerubhi rakasvika makubhiti mashanu pakureba kwaro, nerimwe bapirowo rekerubhi makubhiti mashanu; kubva pamuromo webapiro rimwe kusvikira pamuromo werimwezve, aiva makubhiti ane gumi.

6:25b.1KI.006.025 Rimwe kerubhi rakasvikawo makubhiti ane gumi; makerubhi ose maviri akanga akaenzana pakukura nokuumbwa.

6:26b.1KI.006.026 Rimwe kerubhi rakasvika makubhiti ane gumi, uye ndizvo zvakanga zvakaita rimwewo.

6:27b.1KI.006.027 Akagadza makerubhi mukati meimba yomukati; mapapiro amakerubhi akanga akatambanudzwa, bapiro rimwe rekerubhi rimwe rakasvika kumadziro mamwe, uye bapiro rimwe rekerubhi rimwezve rakasvika kunamamwe madziro; mapapiro awo akagunzvana pakati peimba.

6:28b.1KI.006.028 Akafukidza makerubhi nendarama.

6:29b.1KI.006.029 Akaveza pamadziro ose eimba kunhivi dzose mifananidzo yakavezwa yamakerubhi nemichindwe, namaruva akazaruka, mukati nokunze;

6:30b.1KI.006.030 akafukidzawo guva reimba nendarama, mukati nokunze.

6:31b.1KI.006.031 Akaitira mikova yapangataura Jehovha magonhi omuorivhi; chivivo chapamusoro namagwatidziro zvakaita makona mashanu.

6:32b.1KI.006.032 Naizvozvo akaita magonhi maviri omuorivhi, akaveza pamusoro pawo mifananidzo yamakerubhi nemichindwe, namaruva akazaruka, akaafukidza nendarama; akaisa ndarama pamusoro pamakerubhi napamichindwe.

6:33b.1KI.006.033 Saizvozvowo akaitira mikova yetemberi zvivivo zvemiorivhi, zvakanga zvine nhivi ina dzakaenzana;

6:34b.1KI.006.034 namagonhi maviri omusipiresi; mapenga maviri egonhi rimwe aipetwa, uye mapenga maviri erimwe gonhizve aipetwa.

6:35b.1KI.006.035 Akavezerapo makerubhi nemichindwe namaruva akazaruka; akazvifukidza nendarama, yakanyatsoiswa pamusoro pezvakavezwa.

6:36b.1KI.006.036 Akavaka ruvazhe rwomukati nemitsara mitatu yamabwe akavezwa, nomusara wamatanda omusidhari.

6:37b.1KI.006.037 Nheyo dzeimba yaJehovha dzakavambwa negore rechina raSoromoni, nomwedzi weZivi.

6:38b.1KI.006.038 Negore regumi nerimwe, nomwedzi weBuri, ndiwo mwedzi worusere, imba ikapera chose nezvose zvayo, sezvayaifanira kuvakwa. Naizvozvo wakapedza makore manomwe pakuivaka.

7

7:1b.1KI.007.001 Soromoni wakapedza makore gumi namatatu pakuvaka imba yake, akapedza imba yake yose.

7:2b.1KI.007.002 Nokuti wakavaka imba nemiti yamatondo eRebhanoni; yakanga yakasvika makubhiti ane zana pakureba kwayo, namakubhiti makumi mashanu paupamhi hwayo, namakubhiti makumi matatu pakukwirira kwayo; akaivaka pamusoro pemitsara mina yembiru dzemisidhari, namatanda emisidhari pamusoro pembiru.

7:3b.1KI.007.003 Yakanga yakafukidzwa namatanda emisidhari kumusoro, pamusoro pamakamuri aiva namakumi mana namashanu pamusoro pembiru, makamuri ane gumi namashanu pamusara mumwe.

7:4b.1KI.007.004 Kwakanga kunemisara mitatu yamahwindo, hwindo rimwe rakatarisana nerimwe hwindo, pamitsara mitatu yakaturikidzana.

7:5b.1KI.007.005 Magonhi ose namagwatidziro zvaiva namativi mana akaenzana; hwindo rimwe rakanga rakatarisana nerimwe hwindo, pamitsara mitatu yakaturikidzana.

7:6b.1KI.007.006 Akaita biravira rembiru; rakanga rakasvika makubhiti makumi mashanu pakureba kwaro, namakubhiti makumi matatu paupamhi hwaro, nebiravira pamberi padzo, nedzimwe mbiru namatanda makobvu pamberi padzo.

7:7b.1KI.007.007 Akaitawo biravira rechigaro chake choushe, paangatonga mhaka, iro biravira rokutonga; iro rakanga rakafukidzwa namapuranga omusidhari kubva paguva kusvikira padenga.

7:8b.1KI.007.008 Neimba yake yokugara, kuno rumwe ruvazhe mukati mebiravira, yakanga yakaitwa saizvozvo. Akaitirawo mukunda waFarao imba, (waakanga awana iye Soromoni,) yakanga yakafanana nebiravira iro.

7:9b.1KI.007.009 Idzi dzose dzakanga dzakavakwa namabwe anokosha, ari mabwe akavezwa, akaenzaniswa zvakanaka, akachekwa namajeko mukati nokunze, kubva panheyo kusvikira kumusoro, nokunzewo kusvikira kuruvazhe rukuru.

7:10b.1KI.007.010 Nheyo dzakanga dzakavakwa namabwe anokosha, mabwe makuru, mabwe akasvika makubhiti ane gumi, namabwe akasvika makubhiti masere.

7:11b.1KI.007.011 Kumusoro kwakanga kuna mabwe anokosha, mabwe akavezwa, akaenzaniswa zvakanaka, namapuranga omusidhari.

7:12b.1KI.007.012 Ruvazhe rukuru rwakanga rwakapoteredza, rwakanga rune misara mitatu yamabwe akavezwa, nomusara mumwe wamatanda omusidhari; rwakanga rwakafanana noruvazhe rwomukati rweimba yaJehovha, nebiravira reimba.

7:13b.1KI.007.013 Zvino mambo Soromoni akatuma vanhu kundotora Hiramu paTire.

7:14b.1KI.007.014 lye wakanga ari mwanakomana wechirikadzi yorudzi rwaNafitari; baba vake vaiva munhu weTire, mupfuri wendarira; iye wakanga akangwara kwazvo ane njere noumhizha kubata mabasa ose endarira. Akauya kuna mambo Soromoni, akabata mabasa ake ose.

7:15b.1KI.007.015 Nokuti wakaumba mbiru mbiri dzendarira, imwe neimwe yakasvika makubhiti ane gumi namasere pakureba; uye pakuyera rwonzi rwakasvika makubhiti ane gumi namaviri rwakapoteredza mbiru imwe neimwe.

7:16b.1KI.007.016 Akaumbawo misoro miviri yendarira yakanyauswa, kuti iiswe pamusoro pembiru; musoro mumwe wakasvika makubhiti mashanu pakureba, nomumwe musoro makubhiti mashanuwo pakureba.

7:17b.1KI.007.017 Misoro, yaiva pamusoro pembiru, yakanga ine mimbure yakarukwa yendarira, nezvishongo zvamaketani; minomwe yomusoro mumwe, neminomwe yomumwe musorozve.

7:18b.1KI.007.018 Akaitawo matamba, kwakanga kune misara miviri yakapoteredza pamusoro pomumbure mumwe, kufukidza misoro yakanga iri pamusoro pembiru, akaitira mumwe musoro saizvozvo.

7:19b.1KI.007.019 Misoro, yaiva pamusoro pembiru pabiravira, yakanga ina maruva amahapa akavezwa, akasvika makubhiti mana.

7:20b.1KI.007.020 Kumusoro kwakanga kune misorowo pamusoro pembiru mbiri, pedo nedumbu rakanga riri parutivi rwomumbure wakarukwa; namatamba akanga ana mazana maviri, akaita mitsara yakapoteredza pamusoro pomumwe musoro.

7:21b.1KI.007.021 Zvino akamisa mbiru pabiravira retemberi, akamisa mbiru yorudyi, akatumidza zita rayo Jakini; akamisa mbiru yoruboshwe, akatumidza zita rayo Bhoazi.

7:22b.1KI.007.022 Pamusoro pembiru pakanga pane zvishongo zvamaruva amahapa, naizvozvo basa rapambiru rakapera.

7:23b.1KI.007.023 Zvino akaita dziva rendarira yakanyauswa, rakasvika makubhiti ane gumi paupamhi pamuromo, rakatenderera; kukwirira kwaro kwakasvika makubhiti mashanu; uye pakuyera rwonzi rwakasvika makubhiti makumi matatu rwakaripoteredza.

7:24b.1KI.007.024 Pasi pomuromo waro pakanga panamafundo akaripoteredza, akanga ane gumi pakubhiti rimwe nerimwe, aipoteredza dziva; mafundo akaita misara miviri, akaumbwa pamwechete naro.

7:25b.1KI.007.025 Rakanga rimire pamusoro penzombe gumi nembiri, nhatu dzakanga dzakatarira kurutivi rwokumusoro, nhatu kurutivi rwa mavirazuva, nhatu kurutivi rwezasi, uye nhatu kurutivi rwamabvazuva, dziva rakanga rakagadzwa pamusoro padzo, idzo dzakafuratirana.

7:26b.1KI.007.026 Ukobvu hwaro hwaiva soupamhi hwechanza, uye muromo waro wakanga wakafanana nomuromo wembiya, seruva rehapa, mukati maro maipinda mabhati ane zviuru zviviri.

7:27b.1KI.007.027 Akaitawo zvingoro zvine gumi zvendarira; chingoro chimwe nechimwe chaisvika makubhiti mana pakureba, namakubhiti mana paupamhi, namakubhiti matatu pakukwirira.

7:28b.1KI.007.028 Zvingoro zvakanga zvakaitwa kudai: Zvaiva noukomba, ukomba uhwo hwakakombwa nemidengerero.

7:29b.1KI.007.029 Paukomba uhwo pakati pemidengerero paiva neshumba, nenzombe, namakerubhi; pamusoro pemidengerero pakanga pakadarowo; pasi peshumba nenzombe paiva nezvishongo zvakarembera.

7:30b.1KI.007.030 Chingoro chimwe nechimwe chaiva namakumbo mana endarira nezvokumonerekerapo zvendarira, makumbo acho mana aiva nezvitsigiro; zvitsigiro izvo zvakanga zvakaumbirwa pasi pomudziyo wokushambidzira, nezvishongo kurutivi rumwe norumwe.

7:31b.1KI.007.031 Muromo wawo pakati pomusoro nokumusoro kwawo wakasvika kubhiti rimwe; muromo wawo wakanga wakatenderera, wakafanana nechigadziko, kubhiti rimwe nehafu; pamuromo wawo paiva nezvakanyorwa, asi ukomba hwawo hwaiva namativi mana akaenzana, zvisina kutenderera.

7:32b.1KI.007.032 Makumbo mana akanga ari pasi poukomba, uye zvokubatisa makumbo zvaiva pangoro; gumbo rimwe nerimwe rakasvika kubhiti rimwe nehafu pakukwirira kwaro.

7:33b.1KI.007.033 Makumbo akanga akafanana namakumbo engoro; zvokubatisa makumbo, namafero, namasipoki, namaneivhi zvakanga zvakaumbwa zvose.

7:34b.1KI.007.034 Paiva nezvitsigiro zvina pamakona mana echingoro chimwe nechimwe; zvitsigiro zvaiva zvimwe nengoro imene.

7:35b.1KI.007.035 Pamusoro pechingoro paiva nechitenderere chakasvika hafu yekubhiti pakukwirira uye pamusoro pengoro zvitsigiro zvayo nohukomba hwayo zvaiva zvimwe.

7:36b.1KI.007.036 Panhivi dzezvitsigiro zvayo, uye paukomba hwayo akaveza makerubhi neshumba, nemiti yemichindwe pazvakaringana, nezvishongo kunhivi dzose.

7:37b.1KI.007.037 Akaita zvingoro zvine gumi saizvozvo; zvose zvakanga zvakafanana pakuumbwa nokuenzana, nomufananidzo mumwe.

7:38b.1KI.007.038 Akaita midziyo yokushambidzira ine gumi; mudziyo mumwe nomumwe waipinda mabhati makumi mana emvura; mudziyo mumwe nomumwe wakasvika makubhiti mana; pangoro dzose gumi pakanga pane mudziyo pangoro imwe neimwe.

7:39b.1KI.007.039 Akaisa zvingoro, zvishanu kurutivi rworudyi rweimba, uye zvishanu kurutivi rworuboshwe rweimba; akagadzika dziva kurutivi rworudyi rweimba kumabvazuva nechezasi.

7:40b.1KI.007.040 Hiramu akaita midziyo yokushambidzira, nefoshoro, nembiya. Naizvozvo Hiramu akapedza mabasa ose aakaitira Soromoni paimba yaJehovha;

7:41b.1KI.007.041 zvaiti: Mbiru mbiri, nembiya mbiri dzemisoro miviri, yaiva pamisoro yembiru; uye mimbure miviri yokufukidza nayo mbiya mbiri dzemisoro miviri yaiva pamusoro pembiru;

7:42b.1KI.007.042 namatamba ana mazana mana emimbure miviri, misara miviri yamatamba pamumbure mumwe nomumwe, kufukidza mbiya mbiri yemisoro yaiva pamusoro pembiru;

7:43b.1KI.007.043 nezvingoro zvine gumi, nemidziyo yokushambidzira ine gumi pamusoro pezvingoro;

7:44b.1KI.007.044 nedziva rimwe, nenzombe gumi nembiri pasi pedziva;

7:45b.1KI.007.045 nehari, nefoshoro, nembiya; nhumbi idzi dzose dzakaitirwa mambo Soromoni naHiramu mumba maJehovha, dzakanga dzakaitwa nendarira yakabwinyiswa.

7:46b.1KI.007.046 Mambo akadziumba pabani raJorodhani, pakati peSukoti neZaretani, paiva nevhu rokuumba.

7:47b.1KI.007.047 Soromoni haana kuyera nhumbi dzose, nokuti dzaiva zhinji kwazvo; vakanga vasingagoni kuverenga kurema kwendarira.

7:48b.1KI.007.048 Soromoni akaita nhumbi dzose dzaiva mumba maJehovha, dzaiti: Aritari yendarama, netafura yendarama paiva nezvingwa zvokuratidza;

7:49b.1KI.007.049 nemwenje yendarama yakaisvonaka, mishanu kurutivi rworudyi, nemishanu kurutivi rworuboshwe, pamberi pangataura Jehovha; namaruva, nemwenje, nembato dzendarama;

7:50b.1KI.007.050 nemikombe, nembato dzemwenje, nembiya, nezvirongo, nezvaenga zvomoto zvendarama yakaisvonaka; nezvibato zvamagonhi zvendarama, zvamagonhi eimba yomukati, iyo nzvimbo tsvenetsvene, nezvamagonhi eimba, iyo temberi.

7:51b.1KI.007.051 Naizvozvo basa rose, rakaitwa namambo Soromoni paimba yaJehovha, rakapera. Soromoni akaisawo nhumbi dzakanga dzatsaurirwa Mwari naDhavhidhi baba vake, sirivha, nendarama, nemidziyo, akadziisa padzimba dzokuchengeta fuma dzeimba yaJehovha.

8

8:1b.1KI.008.001 Zvino Soromoni wakaunganidza vakuru vaIsiraeri, navakuru vose vamarudzi, iwo machinda edzimba dzamadzibaba avana vaIsiraeri, kuna mambo Soromoni paJerusaremu, akakwidza areka yesungano yaJehovha, ibve paguta raDhavhidhi, iro Ziyoni.

8:2b.1KI.008.002 Varume vose vaIsiraeri vakaungana kuna mambo Soromoni pamutambo pamwedzi weEtanimi, ndiwo mwedzi wechinomwe.

8:3b.1KI.008.003 Ipapo vakuru vose vaIsiraeri vakauya, vapirisiti vakasimudza areka.

8:4b.1KI.008.004 Vakakwira neareka yaJehovha netende rokusangana, nemidziyo mitsvene yose yaiva muTende, vapirisiti navaRevhi vakakwira nayo.

8:5b.1KI.008.005 Mambo Soromoni, neungano yose yavaIsiraeri yakanga yaunganira kwaari, vakafamba naye pamberi peareka, vakabayira makwai nenzombe, zvakanga zvisingagoni kurahwa kana kuverengwa nokuwanda kwazvo.

8:6b.1KI.008.006 Ipapo vapirisiti vakagadzika areka yesungano yaJehovha panzvimbo yayo, panzvimbo tsvene yeimba, panzvimbo tsvene-tsvene, ipo panyasi pamapapiro amakerubhi.

8:7b.1KI.008.007 Nokuti makerubhi akatambanudza mapapiro awo pamusoro penzvimbo yeareka, makerubhi akafukidza areka namatanda ayo nechokumusoro.

8:8b.1KI.008.008 Matanda akanga akareba; naizvozvo miromo yamatanda yakanga ichionekwa kana munhu ari panzvimbo tsvene pamberi penzvimbo pangataura Jehovha; asi akanga asingawonekwi nechokunze; achiripo kusvikira nhasi.

8:9b.1KI.008.009 Mukati meareka makanga musisine chinhu, asi mahwendefa maviri amabwe, akanga aiswamo naMozisi paHorebhu, nguva Jehovha yaakaita sungano nayo navana vaIsiraeri pakubuda kwavo panyika

8:10b.1KI.008.010 Zvino vapirisiti vakati vabuda panzvimbo tsvene, gore rikazadza imba yaJehovha,

8:11b.1KI.008.011 naizvozvo vapirisiti vakanga vasingagoni kumira pabasa nokuda kwegore; nokuti kubwinya kwaJehovha kwakazadza imba yaJehovha. Mashoko aSoromoni nokunyengetera kwake

8:12b.1KI.008.012 Ipapo Soromoni akati, Jehovha wakati, ndinoda kugara mukati merima guru.

8:13b.1KI.008.013 Zvirokwazvo, ndakakuvakirai imba pamungagara, nzvimbo mamungagara nokusingaperi.

8:14b.1KI.008.014 Zvino mambo akatendeudza chiso chake, akaropafadza ungano yose yaIsiraeri, ungano yose yaIsiraeri ikasimuka.

8:15b.1KI.008.015 Akati, Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, iye wakataura nomuromo wake naDhavhidhi baba vangu, akazvizadzisa noruoko rwake, achiti,

8:16b.1KI.008.016 Kubva pazuva randakabudisa vanhu vangu vaIsiraeri paIjipiti, handina kutsaura guta rimwe pamarudzi ose aIsiraeri, pavangandivakira imba, kuti zita rangu rigarepo; asi ndakatsaura Dhavhidhi abate vanhu vangu vaIsiraeri.

8:17b.1KI.008.017 Zvino Dhavhidhi baba vangu vakanga vachida kuvakira zita raJehovha Mwari walsiraeri imba.

8:18b.1KI.008.018 Asi Jehovha wakati kuna Dhavhidhi baba vangu, Wakaita zvakanaka, zvawakanga uchida kuvakira zita rangu imba.

8:19b.1KI.008.019 Kunyange zvakadaro iwe haungavaki imba iyo, asi mwanakomana wako wauchabereka, ndiye uchavakira zita rangu imba.

8:20b.1KI.008.020 Zvino Jehovha wasimbisa shoko rake raakataura, nokuti ini ndamuka panzvimbo yaDhavhidhi baba vangu, ndikagara pachigaro choushe chaIsiraeri, sezvakapikira Jehovha, ndikavakira zita raJehovha Mwari waIsiraeri, imba.

8:21b.1KI.008.021 Imomo ndakagadzirira areka nzvimbo, imo munesungano yaJehovha, yaakaita namadzibaba edu panguva yaakavabudisa panyika yeIjipiti.

8:22b.1KI.008.022 Zvino Soromoni akamira pamberi pearitari yaJehovha, pamberi peungano yose yalsiraeri, akatambanudzira maoko ake kudenga,

8:23b.1KI.008.023 akati, Jehovha, Mwari waIsiraeri, hakuna mumwe Mwari wakafanana nemi kudenga kumusoro kana panyika pasi; munorangarira sungano nenyasha kuvaranda venyu, vanofamba pamberi penyu nomoyo wavo wose.

8:24b.1KI.008.024 Imi makaitira muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu, sezvamakamupikira; makataura nomuromo wenyu, mukazviita noruoko rwenyu, sezvazvakaita nhasi.

8:25b.1KI.008.025 Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari waIsiraeri, itirai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu sezvamakamupikira, muchiti, Haungashaiwi munhu uchagara pachigaro choushe chaIsiraeri pamberi pangu, kana vana vako vakangwarira kufamba kwavo, vakafamba pamberi pangu, sezvawakafamba iwe pamberi pangu.

8:26b.1KI.008.026 Naizvozvo zvino, Mwari waIsiraeri, ndinokumbira kuti shoko renyu riitike, iro ramakataura kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu.

8:27b.1KI.008.027 Ko mukati Mwari ungagara panyika here? Tarira, denga nokudenga-denga hazvingamuringani; ndoda imba ino yandakavaka!

8:28b.1KI.008.028 Kunyange zvakadaro, ivai nehanya nomunyengetero womuranda wenyu, nokukumbira kwake, Jehovha Mwari wangu, munzwe kudanidzira nokunyengetera kwomuranda wenyu, kwaanonyengetera pamberi penyu nhasi;

8:29b.1KI.008.029 meso enyu arambe achirindira imba ino usiku namasikati, nzvimbo iyi yamakataura pamusoro payo, muchiti, Zita rangu richagarapo; inzwai munyengetero womuranda wenyu waanozonyengetera akatarira kunzvimbo ino.

8:30b.1KI.008.030 Inzwai kukumbira kwomuranda wenyu, nokwavanhu venyu vaIsiraeri, kana vachizonyengetera vakatarira kunzvimbo ino; donzwai henyu iko kudenga, kwamunogara; zvino kana mukanzwa, muvakanganwire henyu.

8:31b.1KI.008.031 Kana munhu achinge atadzira waanogara naye, akapikiswa mhiko, akauya akapika pamberi pearitari yenyu muimba ino,

8:32b.1KI.008.032 inzwai iko kudenga, muite, mururamisire varanda venyu, mupe wakaipa mhosva, arohwe pamusoro pomufambiro wake; asi mururamisire wakarurama, apiwe zvakafanira kururama kwake.

8:33b.1KI.008.033 Kana vanhu venyu vaIsiraeri vachinge vakundwa navavengi vavo, nemhaka yokuti vakanga vakutadzirai; kana vakadzokerazve kwamuri, vakatenda zita renyu, vakanyengetera kwamuri nokukumbira muimba ino;

8:34b.1KI.008.034 inzwai iko kudenga, mukanganwire zvivi zvavanhu venyu vaIsiraeri, muvadzoserezve kunyika yamakapa madzibaba avo.

8:35b.1KI.008.035 Kana denga richinge razarirwa, mvura ikasanaya nemhaka yokuti vakanga vakutadzirai; kana vakanyengetera vakatarira kunzvimbo ino, vakatenda zita renyu, vakatendeuka pazvivi zvavo, nokuti munenge mavarova;

8:36b.1KI.008.036 inzwai iko kudenga, mukanganwire zvivi zvavaranda venyu, nezvevanhu venyu vaIsiraeri, nokuti munovadzidzisa nzira yakanaka yavanofanira kufamba nayo; munise mvura panyika iyo yamakapa vanhu venyu kuti ive nhaka yavo.

8:37b.1KI.008.037 Kana nzara ikavapo panyika, kana denda rikavapo, kana nyunje nokuvhuvha zvikavapo, nemhashu nehonye; kana vavengi vavo vakavakomba panyika ina maguta avo; kana nyatwa kana hosha ipi neipi ikavapo;

8:38b.1KI.008.038 kana munhu upi noupi, kana vanhu venyu vose vaIsiraeri vakanyengetera kana kukumbira, mumwe nomumwe achiziva kutambudzika kuri pamoyo pake, akatambanudzira maoko ake kuimba ino;

8:39b.1KI.008.039 inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, mukanganwire, muite, muripire mumwe nomumwe zvakafanira mufambiro wake wose, iye wamunoziva moyo wake; nokuti imi, imi moga, ndimi munoziva moyo yavana vavanhu vose;

8:40b.1KI.008.040 kuti vakutyei mazuva ose oupenyu hwavo panyika yamakapa madzibaba edu.

8:41b.1KI.008.041 Zvino kana ari mutorwa, asati ari wavanhu venyu vaIsiraeri, kana akabva kunyika iri kure nokuda kwezita renyu;

8:42b.1KI.008.042 nokuti vachazonzwa mukurumbira wezita renyu guru, noworuoko rwenyu rune simba, noruoko rwenyu rwakatambanudzwa kana akauya akanyengetera akatarira kuimba ino;

8:43b.1KI.008.043 inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, muitire mutorwa zvose sezvaanokumbira, kuti vanhu vose venyika vazive zita renyu, vakutyei, sezvinoita vanhu venyu vaIsiraeri, vazive kuti imba ino yandakavaka yakatumidzwa zita renyu.

8:44b.1KI.008.044 Kana vanhu venyu vakandorwa navavengi vavo, vakaenda nenzira ipi neipi yamuchavatuma nayo, vakanyengetera kuna Jehovha vakatarira kuguta ramakatsaura, nokuimba yandakavakira zita renyu,

8:45b.1KI.008.045 inzwai henyu iko kudenga kunyengetera kwavo nokukumbira kwavo, muvaruramisire.

8:46b.1KI.008.046 Kana vakakutadzirai, (nokuti hakuna munhu usingatadzi), mukavatsamwira, mukavaisa mumaoko avavengi vavo, vakatapwa kunyika yavavengi vavo, kure kana pedo;

8:47b.1KI.008.047 kana vakazozvifunga kunyika kwavakatapirwa, vakadzokazve, vakakumbira kwamuri panyika yavatapi vavo, vachiti, Tatadza, taita zvakaipa, taita zvisakarurama;

8:48b.1KI.008.048 kana vakadzokerazve kwamuri nomoyo wavo wose, nomweya wavo wose, panyika yavavengi vavo vakavatapa; kana vakanyengetera kwamuri vakatarira kunyika yavo, yamakapa madzibaba avo, kuguta ramakatsaurirwa nokuimba yandakavakira zita renyu.

8:49b.1KI.008.049 Inzwai henyu kunyengetera kwavo nokukumbira kwavo iko kudenga kwamunogara, muvaruramisire ;

8:50b.1KI.008.050 mu kanganwire vanhu venyu vakakutadzirai, nokudarika kwavo kwose, kwavakadarika nako kwamuri; muvawanise tsitsi kunavakavatapa, kuti vavanzwire nyasha;

8:51b.1KI.008.051 nokuti ndivo vanhu venyu, nenhaka yenyu, yamakabudisa Ijipiti pakati pevira ramatare;

8:52b.1KI.008.052 meso enyu ngaawone kukumbira kwomuranda wenyu, nokukumbira kwavanhu venyu vaIsiraeri, kuti muvanzwe nguva ipi neipi yavanochema kwamuri.

8:53b.1KI.008.053 Nokuti imi Jehovha, makavatsaura kundudzi dzose dzenyika, vave nhaka yenyu, sezvamakataura nomuromo waMozisi muranda wenyu, nguva yamakabudisa madzibaba edu paIjipiti.

8:54b.1KI.008.054 Zvino Soromoni wakati apedza kunyengetera kuna Jehovha munyengetero uyu wose nokukumbira uku, akasimuka pamberi pearitari yaJehovha, paakanga akapfugama namabvi ake, maoko ake akatambanudzirwa kudenga.

8:55b.1KI.008.055 Akamira akaropafadza ungano yose yaIsiraeri nenzwi guru, akati,

8:56b.1KI.008.056 Jehovha ngaakudzwe, wakapa vanhu vake kuzorora, sezvaakatipa zvose; hapana shoko rimwe pazvose zvakanaka zvaakatipikira rakakona, izvo zvaakatipikira nomuromo waMozisi muranda wake.

8:57b.1KI.008.057 Jehovha wedu ngaave nesu, sezvaaiva namadzibaba edu; ngaarege kutisiya, kana kutirasha;

8:58b.1KI.008.058 kuti arerekese moyo yedu kwaari, tifambe panzira dzake dzose, tichengete mirairo yake, nezvaakatema, nezvaakatonga, izvo zvaakaraira madzibaba edu.

8:59b.1KI.008.059 Zvino mashoko awa andakakumbira nawo pamberi paJehovha, ngaagare pedo naJehovha Mwari wedu masikati nousiku, aruramisire muranda wake, navanhu vake vaIsiraeri, panodikanwa napo zuva rimwe nerimwe;

8:60b.1KI.008.060 kuti vanhu vose venyika vazive kuti Jehovha ndiye Mwari, hakuna mumwe.

8:61b.1KI.008.061 Naizvozvo moyo yenyu ive yakarurama kwazvo kuna Jehovha Mwari wedu, mufambe pane zvaakatema, nokuchengeta mirairo yake, sezvamunoita nhasi.

8:62b.1KI.008.062 Zvino mambo navalsiraeri vose pamwechete naye vakabayira zvibayiro pamberi paJehovha.

8:63b.1KI.008.063 Soromoni akabayira zvipiriso zvokuyananisa, zvaakabayira Jehovha, nzombe dzine zviuru zvina makumi maviri nezviviri, namakwai ane zviuru zvine zana namakumi maviri. Naizvozvo mambo navana vaIsiraeri vose vakatsaurira Jehovha imba iyo.

8:64b.1KI.008.064 Nomusi uyo mambo akatsaurawo nzvimbo yapakati yoruvazhe rwakanga ruri pamberi peimba yaJehovha, nokuti ndipo paakabayira chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu, namafuta ezvipiriso zvokuyananisa; nokuti aritari yendarira, yaiva pamberi paJehovha, yakanga iri duku kwazvo, isingagoni kuringana chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu, namafuta ezvipiriso zvokuyananisa.

8:65b.1KI.008.065 Naizvozvo Soromoni akatamba mutambo nguva iyo yose, navaIsiraeri vose pamwechete naye, vakaita ungano huru, kubva pavanopinda paHamati kusvikira parukova rweIjipiti, pamberi paJehovha Mwari wedu, mazuva manomwe namazuva manomwezve ndiwo mazuva ane gumi namana.

8:66b.1KI.008.066 Pazuva rorusere akaendisa vanhu, ivo vakatenda mambo, vakaenda kumatende avo nemoyo yakanga ichifara, ichifarira zvakanaka zvose zvakanga zvaitirwa Dhavhidhi muranda wake naIsiraeri vanhu vake naJehovha.

9

9:1b.1KI.009.001 Zvino Soromoni wakati apedza kuvaka imba yaJehovha, neimba yamambo, nezvose Soromoni zvaakanga achida kuita,

9:2b.1KI.009.002 Jehovha akazviratidza kuna Soromoni rwechipiri, sezvaakazviratidza kwaari paGibhiyoni.

9:3b.1KI.009.003 Jehovha akati kwaari, Ndakanzwa kunyengetera kwako nokukumbira kwako kwawakaita pamberi pangu; ndakatsaura imba iyi yawakavaka, kuti ndiise zita rangupo nokusingaperi; meso angu nomoyo wangu zvichavapo nguva dzose.

9:4b.1KI.009.004 Kana uriwe, kana ukafamba pamberi pangu sababa vako Dhavhidhi nomoyo usinganyengeri, nokururama, ukaita zvose zvandakakuraira ukachengeta zvandatema nezvandatonga,

9:5b.1KI.009.005 ipapo ini ndichasimbisa chigaro chako choushe pakati paIsiraeri nokusingaperi, sezvandakapikira baba vako Dhavhidhi, ndichiti, Haungashaiwi munhu uchagara pachigaro choushe chaIsiraeri,

9:6b.1KI.009.006 Asi kana mukatsauka pakunditevera, imi kana vana venyu, mukasachengeta mirairo yangu nezvandatema zvandakaisa pamberi penyu, asi mukandoshumira vamwe vamwari, mukanamata kwavari;

9:7b.1KI.009.007 ipapo ndichaparadza Isiraeri panyika yandakavapa; neimba iyi yandakatsaurira zita rangu, ndichairashira kure ndirege kuiona, vaIsiraeri vachava shumo nechiseko pakati pavanhu vose;

9:8b.1KI.009.008 uye imba iyi kunyange yakakwirira ikadai, vose vanopfuura nayo vachakanuka nokuridza muridzo, vachiti, Jehovha wakaitireiko kudai nenyika ino uye neimba ino?

9:9b.1KI.009.009 Vachapindura, vachiti, Nokuti vakasiya Jehovha Mwari wavo, wakanga abudisa madzibaba avo munyika yeIjipiti, vakanamatira vamwe vamwari, vakanamata kwavari, nokuvashumira; saka Jehovha wakavapinza panjodzi idzi dzose. Maguta akavakwa naSoromoni

9:10b.1KI.009.010 Makore ana makumi maviri akati apera, Soromoni aakavaka nawo dzimba idzi mbiri, iyo imba yaJehovha neimba yamambo;

9:11b.1KI.009.011 (zvino Hiramu mambo weTire wakanga atsvakira Soromoni misidhari; nemisipiresi, nendarama, nezvose zvaakanga achida), mambo Soromoni akapa Hiramu maguta ana makumi maviri panyika yeGarire.

9:12b.1KI.009.012 Hiramu akabva Tire kuzoona maguta aakanga apiwa naSoromoni, asi haana kumufadza.

9:13b.1KI.009.013 Akati, Maguta kunyiko awa awandipa, hama yangu? Akatumidza nyika yeKabhuri kusvikira zuva ranhasi.

9:14b.1KI.009.014 Hiramu akatumira mambo matarenda endarama ane zana namakumi maviri.

9:15b.1KI.009.015 Zvino ndiro shoko rechibharo chakarairwa namambo Soromoni, kuzovaka imba yaJehovha, neimba yake, neMiro, norusvingo rweJerusaremu, neHazori, neMegidho, neGezeri.

9:16b.1KI.009.016 Farao mambo weIjipiti wakanga andokunda Gezeri, akaripisa nomoto, akauraya vaKanani vakanga vagere muguta, akaripa mukunda wake, mukadzi waSoromoni.

9:17b.1KI.009.017 Soromoni akavaka Gezeri, neBhe- tihoroni rezasi,

9:18b.1KI.009.018 naBharati, neTamari, murenje munyika iyo,

9:19b.1KI.009.019 namaguta ose amatura aSoromoni, namaguta engoro dzake, namaguta avatasvi vamabhiza ake, nezvose Soromoni zvaaida kuzvivakira paJerusaremu, napaRebhanoni, napanyika yose yakanga yakabatwa naye.

9:20b.1KI.009.020 Kuvanhu vose vakanga vasara vavaAmori, navaHeti, navaPerezi, navaHivhi navaJebhusi, vakanga vasi vana vaIsiraeri;

9:21b.1KI.009.021 navana vavo vakanga vasara panyika shure kwavo, ivo vana vaIsiraeri vakanga vasingagoni kuvaparadza chose kuna ivavo Soromoni wakaraira chibharo chavaranda kusvikira nhasi.

9:22b.1KI.009.022 Asi Soromoni haana kuita varanda pakati pavana vaIsiraeri, asi ivo vaiva varwi vake, navabatiri vake, namachinda ake, navakuru vake, navarairi vengoro dzake, navatasvi vamabhiza ake.

9:23b.1KI.009.023 Ndivo vaiva vatariri vakuru vamabasa aSoromoni, vaiva namazana mashanu namakumi mashanu, vairairira vanhu vaibata basa.

9:24b.1KI.009.024 Zvino mukunda waFarao wakabva kuguta raDhavhidhi, akaenda kuimba yake, yaakanga avakirwa naSoromoni; ipapo akavaka Miro.

9:25b.1KI.009.025 Katatu pagore Soromoni waibayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa pamusoro pearitari yaakanga avakira Jehovha, akapisa zvinonhuwira pamwechete nazvo paaritari yakanga iri pamberi paJehovha. Naizvozvo akapedza imba.

9:26b.1KI.009.026 Mambo Soromoni wakavakawo zvikepe zvizhinji paEZiyonigebheri, pedo neEroti, pamhenderekedzo yeGungwa Dzvuku, panyika yaEdhomu.

9:27b.1KI.009.027 Hiramu akatuma nezvikepe izvo varanda vake, vaiva vafambisi vezvikepe vaiziva gungwa kwazvo, pamwechete navaranda vaSoromoni.

9:28b.1KI.009.028 Vakasvika Ofiri, vakatorapo ndarama yakasvika matarenda ana mazana mana namakumi maviri vakauya nayo kuna mambo Soromoni. ,

10

10:1b.1KI.010.001 Zvino mambokadzi weShebha, wakati anzwa mbiri yaSoromoni pamusoro pezita raJehovha, akauya kuzomuidza nemibvunzo mikukutu.

10:2b.1KI.010.002 Akasvika Jerusaremu navanhu vazhinji namakamera aitakura zvinonhuwira, nendarama zhinji-zhinji, nezvibwe zvinokosha; zvino wakati asvika kuna Soromoni, akataurirana naye pamusoro pezvose zvaiva mumoyo make.

10:3b.1KI.010.003 Soromoni akapindura mibvunzo yake yose; hakuna chinhu chakanga chakavanzirwa mambo, chaakanga asingagoni kumuudza.

10:4b.1KI.010.004 Zvino mambokadzi weShebha wakati aona kungwara kwose kwaSoromoni, neimba yaakanga avaka,

10:5b.1KI.010.005 nezvokudya zvaiva patafura yake, nokugara kwavaranda vake, nokushumira kwavabatiri vake, nenguvo dzavo, navadiri vake, nechikwiriso chake chaaikwira nacho kuimba yaJehovha, akapera mweya.

10:6b.1KI.010.006 Akati kuna mambo, Guhu randakanzwa munyika yangu ramashoko enyu nokungwara kwenyu rakanga riri razvokwadi.

10:7b.1KI.010.007 Asi handina kutenda mashoko iwayo, kusvikira ndauya, ndikaona nameso angu; asi tarirai, handina kuudzwa kunyange hafu yazvo; kungwara kwenyu nezvakanaka zvenyu zvinokunda zvose zvandakanzwa.

10:8b.1KI.010.008 Varume venyu vane mufaro, navaranda venyu ava vanomufaro, vanomira pamberi penyu nguva dzose vachinzwa kungwara kwenyu.

10:9b.1KI.010.009 Jehovha Mwari wenyu ngaakudzwe, wakafadzwa nemi, akakugadzai pachigaro choushe chaIsiraeri; Jehovha wakada Isiraeri nokusingaperi, saka wakakuitai mambo kuti mutonge nokururamisa.

10:10b.1KI.010.010 Akapa mambo matarenda ane zana namakumi maviri endarama, nezvinonhuwira zvizhinji kwazvo, nezvibwe zvinokosha; zvinonhuwira zvakawanda zvakadai, zvakapiwa mambo Soromoni namambokadzi weShebha, hazvina kuzouyiswazve.

10:11b.1KI.010.011 Zvikepe zvaHiramu, zvaibva Ofiri nendarama, zvaiuyawo nemiti yemiarimugi nezvibwe zvinokosha zvaibva Ofiri.

10:12b.1KI.010.012 Mambo akaita namatanda iwayo emiarimugi mbiru dzeimba yaJehovha, nedzeimba yamambo, uye mbira, nemitengeranwa zvavaimbi; miti yemiarimugi yakadai haina kumbouyiswa kana kuonekwa kusvikira nhasi.

10:13b.1KI.010.013 Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvose zvaaida nezvaakakumbira; zvimwe zvaakapiwa naSoromoni zvefuma yake zvisingaverengwi. Naizvozvo akadzoka, akaenda kunyika yake, iye navaranda vake. fuma yaSoromoni nembiri yake

10:14b.1KI.010.014 Zvino ndarama yakauyiswa kuna Soromoni gore rimwe nerimwe yakasvika matarenda ana mazana matanhatu namakumi matanhatu namatanhatu pakurema kwayo;

10:15b.1KI.010.015 vasingaverengi iyo yaiuya navashambadziri, neyaiuya nokutenga kwavatengesi, neyaibva kumadzimambo ose endudzi dzakavhengana, nokuvabati venyika.

10:16b.1KI.010.016 Mambo akaita nhovo huru dzina mazana maviri nendarama yakapambadzirwa; nhovo imwe neimwe yakanga yakaitwa namashekeri ana mazana matatu endarama;

10:17b.1KI.010.017 akaitawo nhovo duku dzina mazana matatu dzendarama yakapambadzirwa, ndarama, yakasvika mapaundi matatu pakurema, yaiiswa panhovo imwe neimwe; mambo akazviisa muimba yedondo reRebhanoni.

10:18b.1KI.010.018 Mambo akaitawo chigaro chikuru choushe chenyanga dzenzou, akachifukidza nendarama yakaisvonaka.

10:19b.1KI.010.019 Chigaro icho choushe chaiva nezvikwiriso zvitanhatu, uye musoro wechigaro wakanga wakatenderedzwa shure kwacho; kwaiva nezvitsigiro kunhivi mbiri dzechigaro, uye shumba mbiri dzakanga dzimire kunhivi dzechitsigiro.

10:20b.1KI.010.020 Kwaiva neshumba gumi nembiri dzakanga dzimire pazvikwiriso zvitanhatu, mbiri-mbiri kunhivi dzechimwe nechimwe; hakuna kumboitwa chakadai kunohumwe ushe.

10:21b.1KI.010.021 Mikombe yose yokunwira nayo yamambo Soromoni yaiva yendarama, uye midziyo yose yeimba yedondo reRebhanoni yaiva yendarama yakaisvonaka; kwakanga kusine chinhu chimwe chesirivha; iyo yainzi haino murimo pamazuva aSoromoni.

10:22b.1KI.010.022 Nokuti mambo waiva nezvikepe zveTarishishi pagungwa pamwechete nezvikepe zvaHiramu; zvikepe zveTarishishi zvaiuya kamwe pamakore matatu zvine ndarama, nesirivha, nenyanga dzenzou, netsoko, namatendera.

10:23b.1KI.010.023 Naizvozvo mambo Soromoni wakakunda madzimambo ose enyika pakufuma nokuchenjera.

10:24b.1KI.010.024 Vanhu venyika dzose vaiuya kushanyira Soromoni, kuzonzwa kungwara kwake, kwakanga kwaiswa naJehovha mumoyo make.

10:25b.1KI.010.025 Mumwe nomumwe waiuya nechipo chake chemidziyo yesirivha, nemidziyo yendarama, nenguvo, nenhumbi dzokurwa nadzo, nezvinonhuhwira, namabhiza, namahesera, gore rimwe nerimwe.

10:26b.1KI.010.026 Soromoni akaunganidza ngoro navatasvi vamabhiza; wakanga ane ngoro dzine chiuru chimwe namazana mana, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvine gumi nezviviri, vaakaisa kumaguta engoro, nokuna mambo paJerusaremu.

10:27b.1KI.010.027 Mambo akaunganidza sirivha paJerusaremu, ikawanda ikaita samabwe, nemisidhari ikaita semivonde yaiva pamapani.

10:28b.1KI.010.028 Mabhiza aSoromoni aaiva nawo aibva Ijipiti, vatengesi vamambo vaindoatorako, vachiita mapoka-mapoka, boka rimwe nerimwe rinomutengo waro.

10:29b.1KI.010.029 Ngoro imwe neimwe yaibva Ijipiti, yaitengwa namashekeri esirivha ana mazana matanhatu, uye bhiza rimwe nerimwe namashekeri ane zana namakumi mashanu; saizvozvowo madzimambo ose avaHiti, namadzimambo avaSiria, aivigirwa izvozvo navo.

11

11:1b.1KI.011.001 Zvino mambo Soromoni wakanga achida vakadzi vazhinji vatorwa pamwechete nomukunda waFarao, vakadzi vavaMoabhu, navaAmoni, navaEdhomu, navaZidhoni, navaHiti;

11:2b.1KI.011.002 vaiva vendudzi dzakanga dzanzi naJehovha kuvana vaIsiraeri, Musaenda pakati pavo, naivo ngavarege kupinda pakati penyu; nokuti zvirokwazvo, vachatsausa moyo yenyu mukazotevera vamwari vavo; zvino Soromoni wakanamatira ivavo achivada.

11:3b.1KI.011.003 Wakanga ana vakadzi vana mazana manomwe, vakunda vamadzimambo, navarongo vana mazana matatu; vakadzi vake vakatsausa moyo wake.

11:4b.1KI.011.004 Nokuti Soromoni wakati akwegura, vakadzi vake vakatsausa moyo wake kuti atevere vamwe vamwari; moyo wake hauna kuzova wakarurama kwazvo kuna Jehovha Mwari wake, sezvakanga zvakaita moyo waDhavhidhi baba vake.

11:5b.1KI.011.005 Nokuti Soromoni wakatevera Ashitoreti, mwarikadzi wavaZidhoni, naMirikomi mwari unonyangadza wavana vaAmoni.

11:6b.1KI.011.006 Naizvozvo Soromoni wakaita zvakaipa pamberi paJehovha, haana kutevera Jehovha kwazvo, sezvakaita Dhavhidhi baba vake.

11:7b.1KI.011.007 Zvino Soromoni akavakira Kemoshi, mwari unonyangadza waMoabhu, dunhu rakakwirira pagomo riri pamberi peJerusaremu; naMoreki, mwari unonyangadza wavana vaAmoni.

11:8b.1KI.011.008 Saizvozvo akaitirawo vakadzi vake vose vatorwa, vaipisira vamwari vavo zvinonhuwira nokuvabayira.

11:9b.1KI.011.009 Zvino Jehovha akatsamwira Soromoni, nokuti moyo wake wakatsauka kuna Jehovha Mwari walsiraeri, iye wakanga azviratidza kaviri kwaari,

11:10b.1KI.011.010 akamuraira pamusoro pechinhu ichi, kuti arege kutevera vamwe vamwari; asi haana kuita zvaakanga arairwa naMwari.

11:11b.1KI.011.011 Naizvozvo Jehovha akati kuna Soromoni, Zvawaita izvozvi, ukasachengeta sungano yangu nemitemo yangu, yandakakuraira, zvirokwazvo ndichabvarura ushe hwako, ndihubvise kwauri, ndihupe muranda wako.

11:12b.1KI.011.012 Kunyange zvakadaro handingazviiti pamazuva ako nokuda kwaDhavhidhi baba vako; asi ndichahubvarura, ndikahubvisa paruoko rwomwanakomana wako.

11:13b.1KI.011.013 Kunyange zvakadaro handingahwubvaruri ndikahubvisa hwose asi ndichapa mwanakomana wako rudzi rumwe nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu, uye nokuda kweJerusaremu, iro guta randakatsaura.

11:14b.1KI.011.014 Zvino Jehovha akamutsira Soromoni Hadhadhi muEdhomu, kuti arwe naye; iye wakanga ari worudzi rwamambo paEdhomu.

11:15b.1KI.011.015 Nokuti panguva iya Dhavhidhi ari paEdhomu, Joabhu mukuru wehondo wakati akwira kundoviga vakanga vaurawa, apedza kuuraya varume vose paEdhomu;

11:16b.1KI.011.016 (nokuti Joabhu navaIsiraeri vose vakagarapo mwedzi mitanhatu, kusvikira vaparadza varume vose paEdhomu;)

11:17b.1KI.011.017 Hadhadhi akatiza, akaenda Ijipiti, iye navamwe vaEdhomu pakati pavaranda vababa vake, iye Hadhadhi achiri mwana muduku.

11:18b.1KI.011.018 Ivo vakasimuka, vakabva Midhiani, vakasvika Parani; vakatora vamwe varume veParani, vakaenda Ijipiti kuna Farao mambo weIjipiti; iye akamupa imba, akaraira kuti apiwe zvokudya, akamupawo nyika pokugara.

11:19b.1KI.011.019 Hadhadhi akazofarirwa kwazvo naFarao; naizvozvo akamupa muramu wake, munununa wavahosi vake Tapenesi, ave mukadzi wake.

11:20b.1KI.011.020 Munununa waTapenesi akamuberekera mwanakomana wake Genubhati, wakarumurwa naTapenesi mumba maFarao; Genubhati akagara mumba maFarao, pakati pavanakomana vaFarao.

11:21b.1KI.011.021 Zvino Hadhadhi wakati achinzwa kuti Dhavhidhi wavata namadzibaba ake, uye kuti Joabhu mukuru wehondo wafa, Hadhadhi akati kuna Farao, Regai ndiende hangu kunyika yangu.

11:22b.1KI.011.022 Farao akati kwaari, Washaiweiko kwandiri, zvaunoda kudzokera kunyika yako? Akapindura, akati, Handina kushaiwa chinhu; kunyange zvakadaro ndiregei henyu ndiende.

11:23b.1KI.011.023 Zvino Jehovha akamumutsirazve mumwe kuzorwa naye, Rezonhi mwanakomana waEriadha, wakanga atiza kunashe wake Hadhadhezeri mambo weZobha

11:24b.1KI.011.024 akaunganidzira vanhu kwaari, akava mukuru wehondo panguva Dhavhidhi yaakauraya veZobha; vakaenda Dhamasiko, vakagarapo, vakabata ushe paDhamasiko.

11:25b.1KI.011.025 Iye akarwa naIsiraeri mazuva ose aSoromoni, zvimwe zvakashata zvakaitwa naHadhadhi zvisingaverengwi iye akavenga vaIsiraeri, akabata ushe paSiria.

11:26b.1KI.011.026 Jerobhoamuwo, mwanakomana waNebhati, muEfuremu weZeredha, muranda waSoromoni, zita ramai vake rainzi Zerua, yaiva chirikadzi, wakamukirawo mambo.

11:27b.1KI.011.027 Iye wakamukira mambo nemhaka yokuti Soromoni wakanga avaka Miro, akagadzira pakanga pakaputsika paguta raDhavhidhi baba vake.

11:28b.1KI.011.028 Zvino murume uyu Jerobhoamu wakanga ari murume wesimba noumhare, Soromoni akaona kuti jaya iro raibata kwazvo, akamuita mutariri wamabasa ose eimba yaJosefa.

11:29b.1KI.011.029 Zvino panguva iyo Jerobhoamu wakati achibuda Jerusaremu, muporofita Ahija muShiro akasangana naye panzira; zvino Ahija wakanga akafuka nguvo itsva; ivo vakanga vari vaviri voga kusango.

11:30b.1KI.011.030 Ahija akabata nguvo itsva yaakafuka, akaibvarura akaita mapande ane gumi namaviri.

11:31b.1KI.011.031 Akati kuna Jerobhoamu, Chizvitorera mapande ane gumi, nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, Tarira, ndinobvarura ushe, ndihwubvise kuna Soromoni, ndikupe marudzi ane gumi.

11:32b.1KI.011.032 (Asi iye uchava norudzi rumwe nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu, uye nokuda kweJerusaremu, guta randakatsaura kumarudzi ose aIsiraeri;)

11:33b.1KI.011.033 nokuti vakandirasha, vakanamata kuna Ashitoreti mwarikadzi wavaZidhoni, naKemoshi mwari wavaMoabhu, naMirikomi mwari wavana vaAmoni; havana kufamba panzira dzangu, nokuita zvakarurama pamberi pangu, nokuchengeta mitemo yangu nezvandakatonga, sezvakaita Dhavhidhi baba vake.

11:34b.1KI.011.034 Kunyange zvakadaro handingabvisi ushe hwose paruoko rwake, asi ndichamuita muchinda mazuva ose oupenyu hwake nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu, wandakatsaura; nokuti wakachengeta mirairo yangu nezvandakatema.

11:35b.1KI.011.035 Asi ndichabvisa umambo kumwanakomana wake, ndihupe iwe, iwo marudzi ane gumi.

11:36b.1KI.011.036 Asi mwanakomana wake ndichamupa rudzi rumwe, kuti Dhavhidhi muranda wangu ave nomwenje nguva dzose pamberi pangu paJerusaremu, iro guta randakazvitsaurira, ndiise zita rangupo.

11:37b.1KI.011.037 ndichakutora iwe, ugobata ushe sezvinoda moyo wako, ugova mambo waIsiraeri.

11:38b.1KI.011.038 Kana ukateerera zvose zvandinokuraira, ukafamba munzira dzangu, ukaita zvakarurama pamberi pangu, ukachengeta zvandatema nemirairo yangu, sezvakaita Dhavhidhi muranda wangu, ini ndichava newe, ndichakuvakira imba yakasimba, sezvandakavakira Dhavhidhi, ndigokupa Isiraeri.

11:39b.1KI.011.039 Nokuti nemhaka iyi ndichatambudza vana vaDhavhidhi, asi handingazviiti nokusingaperi.

11:40b.1KI.011.040 Naizvozvo Soromoni akatsvaka kuuraya Jerobhoamu; asi Jerobhoamu wakasimuka, akatizira Ijipiti kuna Shishaki mambo weljipiti, akagarapo paIjipiti kusvikira pakufa kwaSoromoni. Kufa kwake

11:41b.1KI.011.041 Zvino mamwe mashoko aSoromoni, nezvose zvaakaita, nokungwara kwake, hazvina kunyorwa here mubhuku ramabasa aSoromoni?

11:42b.1KI.011.042 Zvino nguva yakabata Soromoni vaIsiraeri vose paJerusaremu aiva makore makumi mana.

11:43b.1KI.011.043 Ipapo Soromoni akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake, Rehobhoamu mwanakomana wake akazomutevera pakubata ushe.

12

12:1b.1KI.012.001 Zvino Rehobhoamu wakaenda Shekemu, nokuti vaIsiraeri vose vakanga vaungana paShekemu kuzomuita mambo.

12:2b.1KI.012.002 Zvino Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, wakati achizvinzwa, (nokuti wakanga achiri Ijipiti kwaakanga atizira nokuda kwaSoromoni, Jerobhoamu akagara Ijipiti,

12:3b.1KI.012.003 vakatuma nhume kundomudana;) Jerobhoamu neungano yose yavaIsiraeri vakasvika vakataura naRehobhoamu, vakati,

12:4b.1KI.012.004 Baba venyu vakatitakudza joko rinogozha; naizvozvo zvino imi chirerutsai basa rababa venyu rakanga richigozha; nejoko ravo rinorema ravakaisa pamusoro pedu, tigokushumirai.

12:5b.1KI.012.005 Iye akati kwavari, Chimboendai henyu, mugare mazuva matatu, mugodzokera kwandiri. Vanhu vakaenda.

12:6b.1KI.012.006 Ipapo mambo Rehobhoamu akarangana navakuru, vaimira pamberi paSoromoni baba vake, vachiri vapenyu akati, Mungandipa zano reiko, randingapindura vanhu ava naro?

12:7b.1KI.012.007 Ivo vakataura kwaari vakati, Kana mukatenda kuva muranda wavanhu ava nhasi, mukavashumira, mukavapindura nokutaura mashoko akanaka kwavari, ipapo vachava varanda venyu nokusingaperi.

12:8b.1KI.012.008 Asi iye wakaramba zano ravakuru ravakanga vamupa, akarangana namajaya ezero rake, aimira pamberi pake.

12:9b.1KI.012.009 Akati kwavari, Imi mungandipa zano reiko, ratingapindura naro vanhu ava vakataura neni, vachiti, Rerusai joko rakaiswa pamusoro pedu nababa venyu?

12:10b.1KI.012.010 Zvino majaya ezero rake akataura kwaari achiti, Iti kuvanhu ava vakataura newe vachiti, Baba venyu vakatitakudza joko rinogozha, asi imi chitirerusirai iro, utaure kwavari uti, Munwe wangu muduku mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu.

12:11b.1KI.012.011 Zvino, baba vangu zvavakakutakudzai joko rinorema, ini ndichawedzera pajoko renyu, baba vangu vaikurovai neshamhu; asi ini ndichakurovai nezvinyavada.

12:12b.1KI.012.012 Naizvozvo Jerobhoamu navanhu vose vakasvika kunaRehobhoamu nomusi wetatu, sezvavakanga varairwa namambo, achiti, Dzokeraizve kwandiri nomusi wetatu.

12:13b.1KI.012.013 Mambo akapindura vanhu nehasha, akarasha zano ravakuru, ravakanga vamupa;

12:14b.1KI.012.014 akataura kwavari sezvaakanga apiwa zano namaj aya, akati, Baba vangu vakakutakudzai joko rinorema, asi ini ndichawedzera pajoko renyu; baba vangu vaikurovai neshamhu, asi ini ndichakurovai nezvinyavada.

12:15b.1KI.012.015 Naizvozvo mambo haana kuteerera vanhu; nokuti chinhu icho chakanga chabva kuna Jehovha, kuti Jehovha asimbise shoko rake, raakataura naAhija muShiro kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati.

12:16b.1KI.012.016 Zvino vaIsiraeri vose vakati vachiona kuti mambo haana kuvateerera, vanhu vakapindura mambo vakati, Tinomugove weiko kuna Dhavhidhi? Uye hatine nhaka kumwanakomana waJese; endai kumatende enyu, vaIsiraeri; iwe Dhavhidhi, chitarira hako imba yako. Naizvozvo vaIsiraeri vakaenda kumatende avo.

12:17b.1KI.012.017 Asi kana vari vana vaIsiraeri, vakanga vagere mumaguta aJudha, Rehobhoamu wakanga ari mambo wavo.

12:18b.1KI.012.018 Zvino mambo Rehobhoamu akatuma Adhoramu mutariri wavanhu vechibharo, vaIsiraeri vose vakamutaka namabwe, akafa. Ipapo mambo Rehobhoamu akakurumidza kukwira ngoro yake, akatizira Jerusaremu.

12:19b.1KI.012.019 Saizvozvo vaIsiraeri vakamukira imba yaDhavhidhi kusvikira zuva ranhasi.

12:20b.1KI.012.020 Zvino vaIsiraeri vose vakati vachinzwa kuti Jerobhoamu wadzoka, vakatuma nhume kuzomudanira kuungano, vakamuita mambo wavaIsiraeri vose; hakuna wakatevera imba yaDhavhidhi, asi rudzi rwaJudha bedzi.

12:21b.1KI.012.021 Zvino Rehobhoamu wakati achisvika Jerusaremu, akaunganidza vose veimba yaJudha, novorudzi rwaBhenjamini, varume vakatsaurwa vaiva nezviuru zvine zana namakumi masere, vaigona kurwa, kuzorwa neimba yaIsiraeri, kuti vadzoserezve ushe kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni.

12:22b.1KI.012.022 Asi shoko raMwari rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari richiti,

12:23b.1KI.012.023 Taura naRehobhoamu mwanakomana waSoromoni, mambo wavaJudha, nokuimba yose yaJudha neyaBhenjamini, nokuna vamwe vanhu, uti,

12:24b.1KI.012.024 Zvanzi naJehovha, Hamufaniri kukwira kundorwa nehama dzenyu ivo vana vaIsiraeri; mumwe nomumwe ngaadzokere kumba kwake, nokuti chinhu ichi chinobva kwandiri. Naizvozvo vakateerera shoko raJehovha, vakadzoka, vakaenda havo, sezvavakaudzwa naJehovha.

12:25b.1KI.012.025 Ipapo Jerobhoamu wakavaka Shekemu panyika yamakomo yaEfuremu, akagaramo; akabvapo, akandovaka Penueri.

12:26b.1KI.012.026 Jerobhoamu akati mumoyo make, Zvino ushe huchadzokerazve kuimba yaDhavhidhi.

12:27b.1KI.012.027 Kana vanhu ava vakakwira kundobayira zvibayiro zvavo mumba maJehovha paJerusaremu, ipapo moyo yavanhu ava ichadzokera kunashe wavo, iye Rehobhoamu mambo waJudha; vachandiuraya, vakadzokera kuna Rehobhoamu mambo waJudha.

12:28b.1KI.012.028 Naizvozvo mambo akarangana navakuru, akaumba mhuru mbiri dzendarama, akati kwavari, Kukwira Jerusaremu kwava kure; tarirai, vaIsiraeri, vamwari venyu vakakubudisai panyika yeIjipiti.

12:29b.1KI.012.029 Akagadza imwe paBheteri, imwe akaiisa paDhani.

12:30b.1KI.012.030 Chinhu ichi chikava chivi, nokuti vanhu vakandonamata kwadziri idzo mbiri, kusvikira paDhani.

12:31b.1KI.012.031 Akavakawo dzimba pamatunhu akakwirira, akatora vamwe pakati pavanhu akavaita vapirisiti, vasati vari vavana vaRevhi.

12:32b.1KI.012.032 Zvino Jerobhoamu akaraira mutambo pamwedzi worusere, nezuva regumi namashanu romwedzi, wakanga wakafanana nomutambo waiva kuvaJudha; akabayira paaritari; akaitawo saizvozvo paBheteri, akabayira mhuru dzaakaumba; akagadzawo paBheteri vapirisiti vamatunhu akakwirira aakaita.

12:33b.1KI.012.033 Akandobayira paaritari yaakavaka paBheteri nezuva regumi namashanu romwedzi worusere, iwo mwedzi waakafunga hake mumoyo make; akaraira vana valsiraeri mutambo, akandobayira paaritari, akapisa zvinonhuwira.

13

13:1b.1KI.013.001 Zvino tarira, mumwe munhu waMwari wakanga arairwa neshoko raJehovha, wakabva kwaJudha, akasvika Bheteri; Jerobhoamu wakanga amire paaritari achipisa zvinonhuwira.

13:2b.1KI.013.002 Iye akadanidzira kuaritari, neshoko raJehovha, akati, Iwe aritari, aritari, zvanzi naJehovha, Tarirai, imba yaDhavhidhi ichaponerwa mwanakomana, uchanzi Josia; iye uchabaya pamusoro pako vapirisiti vamatunhu akakwirira, vanopisira zvinonhuwira pamusoro pako, uye vachapisa mapfupa avanhu pamusoro pako.

13:3b.1KI.013.003 Akavapa chiratidzo nezuva iro, akati, Ndicho chiratidzo chakataurwa naJehovha, Tarirai, aritari ichapamuka, namadota ari pamusoro payo acharashirwa pasi.

13:4b.1KI.013.004 Zvino mambo wakati achinzwa shoko romunhu waMwari, raakadanidzira kuaritari paBheteri Jerobhoamu akasimudza ruoko rwake paaritari, akatendeka narwo, akati, Mubatei! Ipapo ruoko rwake rwaakanga amutendeka narwo rwakawoma, akasagona kurudzosazve.

13:5b.1KI.013.005 Aritariwo yakapamuka, namadota akarashirwa pasi paaritari, chiratidzo chakanga chapiwa nomunhu waMwari chikaitika, icho chakanga charairwa naJehovha.

13:6b.1KI.013.006 Ipapo mambo akapindura, akati kumunhu waMwari, Kumbira hako kuna Jehovha Mwari wako andinzwire nyasha, undinyengeterere, kuti ndiporeserwezve ruoko rwangu. Munhu waMwari akanyengetera kuna Jehovha, mambo akaporeserwazve ruoko rwake, rukaita sakare.

13:7b.1KI.013.007 Ipapo mambo akati kumunhu waMwari, Enda neni kumba kwangu, uzvisimbisepo, ini ndikupewo mubayiro.

13:8b.1KI.013.008 Asi munhu waMwari wakati kuna mambo, Kunyange mukandiganhurira imba yenyu napakati, handingapindi kwamuri, kunyange kudya zvokudya, kana kunwa pano,

13:9b.1KI.013.009 nokuti Jehovha wakandiraira neshoko rake, akati, Usadya zvokudya, kana kunwa mvura, kana kudzoka nenzira yawaenda nayo.

13:10b.1KI.013.010 Naizvozvo akadzoka neimwe nzira, haana kudzoka nenzira yaakanga aenda nayo Bheteri. Muporofita asina kuteerera anourawa neshumba

13:11b.1KI.013.011 Zvino paBheteri pakanga pagere muporofita mutana; mwanakomana wake akandomuudza mabasa ose akaitwa no munhu waMwari paBheteri pazuva iro, namashoko aakataura kuna mambo, naiwo vakaudzawo baba vavo.

13:12b.1KI.013.012 Ipapo baba vavo vakati kwavari, Waenda nenzira ipiko? Zvino vana vake vakanga vaona nzira yaendwa nayo nomunhu waMwari wokwaJudha.

13:13b.1KI.013.013 Akati kuvanakomana vake, Ndisungirei chigaro pambongoro; ivo vakamusungira chigaro pambongoro, akaitasva.

13:14b.1KI.013.014 Akatevera munhu waMwari, akamuwana agere pasi pomuti womuoki, ndokuti kwaari, Ndiwe munhu waMwari wakabva kwaJudha here? Akati, Ndini.

13:15b.1KI.013.015 Ipapo akati kwaari, Hendei kumba kwangu, undodya zvokudya.

13:16b.1KI.013.016 Iye akati, Handingagoni kudzoka nemi kana kupinda kwamuri, handingadyi zvokudya, kana kunwa mvura nemi pano,

13:17b.1KI.013.017 nokuti ndakarairwa neshoko raJehovha, akati, Usadya zvokudya, kana kunwa mvurapo kana kudzoka nenzira yawaenda nayo.

13:18b.1KI.013.018 Ipapo akati kwaari, Neniwo ndiri muporofita sewe; zvino mutumwa wakandiudza shoko raJehovha, akati, Dzoka naye kumba kwako, adye zvokudya nokunwa mvura. Akareva nhema kwaari.

13:19b.1KI.013.019 Naizvozvo akadzoka naye, akandodya zvokudya mumba make nokunwa mvura.

13:20b.1KI.013.020 Zvino vakati vagere patafura, shoko raJehovha rikasvika kumuporofita wakamudzosa,

13:21b.1KI.013.021 akadanidzira kumunhu waMwari, wakanga abva kwaJudha, akati, Zvanzi naJehovha, Zvausina kuteerera muromo waJehovha, ukasachengeta murayiro wawakarairwa naJehovha Mwari wako,

13:22b.1KI.013.022 ukadzoka, ukadya zvokudya, ukanwa mvura ipapo paakati kwauri, Usadya zvokudya nokunwa mvura, naizvozvo chitunha chako hachingasviki muhwiro hwamadzibaba ako.

13:23b.1KI.013.023 Zvino wakati adya zvokudya, nokunwa, akasungirira chigaro pambongoro, iye muporofita waakadzosa.

13:24b.1KI.013.024 Zvino wakati aenda, shumba ikasangana naye munzira, ikamuuraya, chitunha chake chikakandirwa munzira, mbongoro ikamira nacho, uye shumbawo ikamira pachitunha.

13:25b.1KI.013.025 Zvino wonei, vanhu vakapfuura napo, vakaona chitunha chakakandirwa munzira, uye shumba imire pachitunha; vakaenda, vakandozviudza vanhu muguta, makanga mugere muporofita mutana.

13:26b.1KI.013.026 Zvino muporofita, wakamudzosa panzira, wakati achizvinzwa, akati, Ndiye munhu waMwari usina kuteerera muromo waJehovha; naizvozvo Jehovha wakamukwevera pashumba, ikamubvambura, ikamuuraya, sezvakarehwa neshoko raJehovha raakataura kwaari.

13:27b.1KI.013.027 Akati kuvanakomana vake, Ndisungirirei chigaro pambongoro, vakaisungira chigaro.

13:28b.1KI.013.028 Akaenda, akandowana chitunha chake chakakandirwa munzira, uye mbongoro neshumba zvimire pachitunha; shumba yakanga isina kudya chitunha kana kubvambura mbongoro.

13:29b.1KI.013.029 Ipapo muporofita akasimudza chitunha chomunhu waMwari, akachiisa pamusoro pembongoro, akadzoka nacho; akasvika kuguta romuporofita mutana, akamuchema nokumuviga.

13:30b.1KI.013.030 Akaisa chitunha chake muhwiro hwake, vakamuchema, achiti, Haiwa, munununa wangu!

13:31b.1KI.013.031 Zvino wakati amuviga, akataura navanakomana vake, akati, Kana ndafa, mundivige muhwiro makavigwa munhu waMwari; muise mapfupa angu kurutivi rwamapfupa ake;

13:32b.1KI.013.032 nokuti izvo zvaakataura, paakadanidzira achirairwa naJehovha, kuaritari paBheteri, nokudzimba dzose dzamatunhu akakwirira, ari pamaguta eSamaria, zvichaitika zvirokwazvo.

13:33b.1KI.013.033 Pashure pechinhu ichi Jerobhoamu haana kutendeuka panzira yake yakaipa, asi wakatsaurazve vamwe pakati pavanhu vose, akavaita vapirisiti pamatunhu akakwirira; Ani naani waaida, waimugadza, akavaita vapirisiti pamatunhu akakwirira.

13:34b.1KI.013.034 Chinhu ichi chikava chivi paimba yaJerobhoamu, kuti iparadzwe nokupedzwa panyika.

14

14:1b.1KI.014.001 Zvino nenguva iyo Abhija mwanakomana waJerobhoamu akarwara.

14:2b.1KI.014.002 Jerobhoamu akati kumukadzi wake, Simuka hako, ushandure nguvo dzako, kuti urege kuzikanwa kuti ndiwe mukadzi waJerobhoamu, ugoenda Shiro; tarira, muporofita Ahija uripo, iye wakadeya kutaura pamusoro pangu, kuti ndizova mambo wavanhu ava.

14:3b.1KI.014.003 Uende nezvingwa zvine gumi, nezvingwa zviduku, nechidende chouchi, uzviise kwaari; iye uchakuudza zvichaitirwa mwana.

14:4b.1KI.014.004 Mukadzi waJerobhoamu akaita saizvozvo, akasimuka, akaenda Shiro, akasvika paimba yaAhija. Zvino Ahija wakanga asingagoni kuona, nokuti meso ake akanga owonera madzedzerere nemhaka yokukwegura kwake.

14:5b.1KI.014.005 Zvino Jehovha akati kuna Ahija, Tarira, mukadzi waJerobhoamu unouya kuzokubvunza pamusoro pomwanakomana wake, nokuti unorwara; unofanira kutaura zvokuti nezvokuti kwaari, nokuti kana achipinda, uchazviita somumwe mukadzi.

14:6b.1KI.014.006 Zvino Ahija wakati achinzwa kufamba kwetsoka dzake, achipinda pamukova, akati, Chipinda hako, iwe mukadzi waJerobhoamu, unozviitireiko somumwe? Nokuti ndatumwa kwauri namashoko anorwadza moyo.

14:7b.1KI.014.007 Enda, uudze Jerobhoamu, uti, Zvanzi naJehovha Mwari walsiraeri: Ndakakukudza pakati pavanhu, ndikakuita mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri,

14:8b.1KI.014.008 ndikabvarura ushe, ndikahubvisa paimba yaDhavhidhi, ndikahupa iwe; asi iwe hauna kuva saDhavhidhi muranda wangu, waichengeta mirairo yangu, akanditevera nomoyo wake wose, achiita zvakanaka zvoga pameso angu;

14:9b.1KI.014.009 asi iwe wakaita zvakaipa kupfuura vose vakakutangira, ukandozviitira vamwe vamwari nemifananidzo yakaumbwa, kuti unditsamwise; ukandirashira shure kwomusana wako.

14:10b.1KI.014.010 Naizvozvo, tarira, ndichaitira imba yaJerobhoamu zvakaipa; ndichaparadza kuna Jerobhoamu vana vakomana vose, vaduku navakuru kuvaIsiraeri, nditsvaire chose imba yaJerobhoamu, somunhu unotsvaira marara kusvikira abva ose.

14:11b.1KI.014.011 Ani naani weimba yaJerobhoamu unofira paguta uchadyiwa nembwa; unofira kusango uchadyiwa neshiri dzokudenga; nokuti Jehovha wakataura saizvozvo.

14:12b.1KI.014.012 Naizvozvo iwe, simuka uende kumba kwako; kana tsoka dzako dzichipinda paguta, mwana uchafa.

14:13b.1KI.014.013 Valsiraeri vose vachamuchema, vakamuviga; nokuti ndiye oga waJerobhoamu uchasvika pahwiro, nokuti maari makawanikwa chinhu chakanaka chakafadza Jehovha Mwari waIsiraeri, paimba yaJerobhoamu.

14:14b.1KI.014.014 Jehovha uchazvimutsirawo mambo kuvaIsiraeri, uchaparadza imba yaJerobhoamu nomusi uyo. Nomusi uyo here? Zvotoitwa zvino.

14:15b.1KI.014.015 Nokuti Jehovha ucharova Isiraeri, sorutsanga runozununguswa mumvura; uchadzura Isiraeri panyika ino yakanaka, yaakapa madzibaba avo, nokuvaparadzira mhiri kwoRwizi; nokuti vakazviitira matanda okunamata nawo vakatsamwisa Jehovha.

14:16b.1KI.014.016 Uchaisa Isiraeri kuvavengi nokuda kwezvivi zvaJerobhoamu, zvaakaita iye, nezvaakatadzisa Isiraeriwo nazvo.

14:17b.1KI.014.017 Zvino mukadzi waJerobhoamu akasimuka, akaenda, akasvika Tiriza; wakati achisvika pachikumbaridzo cheimba, mwana akafa.

14:18b.1KI.014.018 VaIsiraeri vose vakamuviga, vakamuchema, sezvakanga zvarehwa naJehovha nomuromo womuranda wake muporofita Ahija.

14:19b.1KI.014.019 Zvino mamwe mabasa aJerobhoamu, kurwa kwake, nokubata kwake ushe, tarirai zvakanyorwa mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri.

14:20b.1KI.014.020 Mazuva okubata ushe kwaJerobhoamu akanga ari makore makumi maviri namaviri; akavata namadzibaba ake, Nadhabhi mwanakomana wake, akamutevera paushe.

14:21b.1KI.014.021 Zvino Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni, wakabata ushe hwaJudha. Rehobhoamu wakanga ana makore makumi mana nerimwe pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe makore ane gumi namanomwe paJerusaremu, iro guta rakanga ratsaurwa naJehovha pakati pamarudzi ose alsiraeri, kuti aise zita rakepo. Zita ramai vake rakanga riri Naama muAmoni.

14:22b.1KI.014.022 VaJudha vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, vakamutsa shungu dzake nezvivi zvavo zvavakanga vachiita, vakapfuura zvose zvakaitwa namadzibaba avo.

14:23b.1KI.014.023 Nokuti naivo vakazvivakira matunhu akakwirira, neshongwe, namatanda okunamata nawo pazvikomo zvose zvakakwirira, napasi pemiti yose mitema.

14:24b.1KI.014.024 Vasodhomi vakanga varipowo panyika; ivo vakaita nemitowo yokunyangadza kwose kwendudzi dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri.

14:25b.1KI.014.025 Zvino pagore rechishanu ramambo Rehobhoamu, Shishaki mambo weIjipiti akakwira kuzorwa naJerusaremu;

14:26b.1KI.014.026 akatora fuma yeimba yaJehovha, nefuma yeimba yamambo; akazvitora zvose, akatorawo nhovo duku dzose dzendarama dzakanga dzaitwa naSoromoni.

14:27b.1KI.014.027 Ipapo mambo Rehobhoamu akaita panzvimbo yadzo nhovo duku dzendarira, akadziisa pamaoko avakuru vavarindi, vairinda mukova weimba yamambo.

14:28b.1KI.014.028 Zvino nguva dzose kana mambo achipinda mumba maJehovha, varindi vaidzibata, ndokudzidzoserazve mumba mavarindi.

14:29b.1KI.014.029 Mamwe mabasa aRehobhoamu, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha.

14:30b.1KI.014.030 Asi kurwa kwaivapo nguva dzose pakati paRehobhoamu naJerobhoamu.

14:31b.1KI.014.031 Rehobhoamu akavata namadzibaba ake, akavigwa kunamadzibaba ake muguta raDhavhidhi; zita ramai vake rakanga riri Naama muAmoni. Abhija mwanakomana wake akamutevera paushe.

15

15:1b.1KI.015.001 Zvino negore regumi namasere ramambo Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, Abhija wakatanga kubata ushe hwaJudha.

15:2b.1KI.015.002 Akabata ushe paJerusaremu makore matatu; zita ramai vake rakanga riri Maaka, mukunda waAbhusaromi.

15:3b.1KI.015.003 Iye akafamba pazvivi zvose zvababa vake, zvavakamutangira kuita; moyo wake wakanga usina kururama kwazvo kuna Jehovha Mwari wake, somoyo waDhavhidhi baba vake.

15:4b.1KI.015.004 Kunyange zvakadaro nokuda kwaDhavhidhi, Jehovha Mwari wake akamupa mwenje paJerusaremu, akamumutsira mwanakomana wake shure kwake, asimbise Jerusaremu;

15:5b.1KI.015.005 nokuti Dhavhidk waiita zvakarurama pamberi paJehovha, haana kutsauka pachinhu chimwe chaakamuraira mazuva ose oupenyu hwake, asi pamhaka yaUriya muHiti bedzi.

15:6b.1KI.015.006 Kurwa kwakanga kuripo pakati paRehobhoamu naJerobhoamu mazuva ose oupenyu hwake.

15:7b.1KI.015.007 Zvino mamwe mabasa aAbhija, nezvose zvaakaita hazvina kunyorwa here mubhuku raMakoronike amadzimambo aJudha? Kurwa kwakanga kuripo pakati paAbhija naJerobhoamu.

15:8b.1KI.015.008 Abhija akavata namadzibaba ake, vakamuviga muguta raDhavhidhi; Asa mwanakomana wake akamutevera paushe. Asa mambo waJudha

15:9b.1KI.015.009 Negore ramakumi maviri raJerobhoamu mambo waIsiraeri, Asa wakatanga kubata ushe paJudha.

15:10b.1KI.015.010 Akabata ushe paJerusaremu makore makumi mana nerimwe, zita ramai vake rakanga riri Maaka mukunda waAbhusaromi.

15:11b.1KI.015.011 Asa akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakaita Dhavhidhi baba vake.

15:12b.1KI.015.012 Akabvisa vaSodhomi panyika, akabvisawo zvifananidzo zvose zvakaitwa namadzibaba ake.

15:13b.1KI.015.013 Akabvisawo Maaka mai vake pauhosi hwavo, nokuti vakanga vaitira matanda okunamata nawo chifananidzo chinonyangadza; Asa akaparadza chifananidzo chavo, akachipisa parukova Kidhironi.

15:14b.1KI.015.014 Asi matunhu akakwirira haana kubviswa; kunyange zvakadaro moyo waAsa wakanga wakarurama kwazvo kuna Jehovha mazuva ake ose.

15:15b.1KI.015.015 Akaisa mumba maJehovha nhumbi dzakanga dzatsaurwa nababa vake, nenhumbi dzaakanga atsaura iye amene, sirivha, nendarama, nemidziyo.

15:16b.1KI.015.016 Zvino kurwa kwakanga kuripo pakati paAsa naBhaasha mambo waIsiraeri mazuva avo ose.

15:17b.1KI.015.017 Bhaasha mambo waIsiraeri akakwira kundorwa naJudha, akavaka Rama, kuti arege kutendera munhu kubuda kana kupinda kuna Asa mambo waJudha.

15:18b.1KI.015.018 Ipapo Asa akatora sirivha yose nendarama zvakanga zvasara pafuma yeimba yaJehovha, napafuma yeimba yamambo, akazvipa mumaoko avaranda vake, mambo Asa akazvitumira kuna Bhenihadhadhi mwanakomana waTabhirimoni, mwanakomana waHeZiyoni, mambo weSiria wakanga agere Dhamasiko, akati,

15:19b.1KI.015.019 Sungano iripo pakati pangu nemi, pakati pababa vangu nababa venyu;tarirai ndinokutumirai chipo chesirivha nendarama, endai muputse sungano yenyu naBhaasha mambo waIsiraeri, abve kwandiri.

15:20b.1KI.015.020 Bhenihadhadhi akateerera mambo Asa, akatuma vehondo dzake kundorwa namaguta aIsiraeri, akakunda Ijoni, neDhani, neAbheribhetimaaka, neKineroti rose, nenyika yose yaNafitari.

15:21b.1KI.015.021 Zvino Bhaasha wakati achizvinzwa, akarega kuvaka Rama, akandogara Tiriza.

15:22b.1KI.015.022 Ipapo mambo Asa akakoka vaJudha vose, hakuna wakadarikwa, vakandotora mabwe eRama, namatanda aro, zvaakanga achivaka nazvo iye Bhaasha; mambo Asa akavaka nazvo Ghebha rokwaBhenjamini neMizipa.

15:23b.1KI.015.023 Zvino mamwe mabasa ose aAsa, nesimba rake rose, nezvose zvaakaita, namaguta aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzibaba aJudha? Asi panguva yokukwegura kwake wakanga achinzwa makumbo.

15:24b.1KI.015.024 Asa akavata namadzibaba ake, akavigwa kunamadzibaba ake paguta raDhavhidhi baba vake; Josafati mwanakomana wake, akamutevera paushe. Nadhabhi naBhaasha madzimambo aIsiraeri

15:25b.1KI.015.025 Zvino Nadhabhi mwanakomana waJerobhoamu, wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri negore rechipiri raAsa mambo waJudha, akabata ushe hwaIsiraeri makore maviri.

15:26b.1KI.015.026 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akafamba nenzira yababa vake, nomuzvivi zvake zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.

15:27b.1KI.015.027 Ipapo Bhaasha mwanakomana waAhija, weimba yaIsakari, akamumukira, Bhaasha akamuuraya paGibhetoni raiva ravaFirisitia; nokuti Nadhabhi navaIsiraeri vose vakanga vakomba Gibhetoni.

15:28b.1KI.015.028 Bhaasha akamuuraya negore retatu raAsa mambo waJudha, akamutevera paushe.

15:29b.1KI.015.029 Zvino wakati achangogara ushe, akauraya vose veimba yaJerobhoamu; haana kusiyira Jerobhoamu mumwe wakanga achafema, kusvikira amuparadza, sezvazvakarehwa naJehovha nomuromo womuranda wake Ahija muShiro;

15:30b.1KI.015.030 nokuda kwezvivi zvaJerobhoamu, zvaakaita iye, nezvaakatadzisa Isiraeri nazvo, nokuda kwokutambudza kwaakatambudza Jehovha Mwari waIsiraeri nako.

15:31b.1KI.015.031 Zvino mamwe mabasa aNadhabhi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo alsiraeri?

15:32b.1KI.015.032 Kurwa kwakanga kuripo nguva dzose pakati paAsa naBhaasha mambo waIsiraeri.

15:33b.1KI.015.033 Negore rechitatu raAsa mambo waJudha, Bhaasha mwanakomana waAhija, wakatanga kubata ushe hwavaIsiraeri vose paTiriza, akabata makore makumi maviri namana.

15:34b.1KI.015.034 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akafamba nenzira yaJerobhoamu, nomuzvivi zvake, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.

16

16:1b.1KI.016.001 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jehu mwanakomana waHanani, pamusoro paBhaasha, richiti,

16:2b.1KI.016.002 Ndakakukudza ndikakubvisa paguruva, ndikakuita mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri; asi wakafamba nenzira yaJerobhoamu, wakatadzisa vanhu vangu vaIsiraeri, vakamutsa shungu dzangu nezvivi zvavo.

16:3b.1KI.016.003 Tarira, ndichabvisa Bhaasha neimba yake chose; ndichaita imba yako sezvandakaita imba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati.

16:4b.1KI.016.004 Ani nani weimba yaBhaasha unofira muguta, uchadyiwa nembwa; ani nani unofira kusango, uchadyiwa neshiri dzokudenga.

16:5b.1KI.016.005 Mamwe mabasa aBhaasha, nezvaakaita, nesimba rake, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo alsiraeri?

16:6b.1KI.016.006 Bhaasha akavata namadzibaba ake, akavigwa paTiriza, Era mwanakomana wake, akamutevera paushe.

16:7b.1KI.016.007 Shoko raJehovha rikauyawo nomuromo womuporofita Jehu mwanakomana waHanani, pamusoro paBhaasha, napamusoro peimba yake, nokuda kwezvakaipa zvose zvaakaita pamberi paJehovha, akamutsa shungu dzake pamusoro pamabasa amaoko ake, akanga akafanana neeimba yaJerobhoamu, uye nokuti wakanga amuparadza. Madzimambo Era, naZimiri, naOmiri

16:8b.1KI.016.008 Negore ramakumi maviri namatanhatu raAsa mambo waJudha, Era mwanakomana waBhaasha, wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paTiriza, akabata makore maviri.

16:9b.1KI.016.009 Ipapo muranda wake Zimiri, mukuru wehafu yengoro dzake, akamumukira, zvino iye wakanga ari paTiriza, achinwa achibatwa mumba maAriza mutariri weimba yake paTiriza.

16:10b.1KI.016.010 Zimiri akapinda, akamubaya, akamuuraya negore ramakumi maviri namanomwe raAsa mambo waJudha, akamutevera paushe.

16:11b.1KI.016.011 Zvino pakutanga kwake kubata ushe, achangogara pachigaro chake choushe, akauraya vose veimba yaBhaasha; haana kumusiyira mwana mumwe womukomana, kana mumwe wehama dzake, kana mumwe weshamwari dzake.

16:12b.1KI.016.012 Naizvozvo Zimiri wakaparadza imba yose yaBhaasha, sezvakanga zvarehwa naJehovha, shoko iro raakataura pamusoro paBhaasha nomuporofita Jehu,

16:13b.1KI.016.013 nokuda kwezvivi zvose zvaBhaasha, nezvivi zvaEra mwanakomana wake, zvavakaita, nezvavakatadzisa Isiraeri nazvo, vakamutsa shungu dzaJehovha Mwari waIsiraeri, nezvinhu zvavo zvisina maturo.

16:14b.1KI.016.014 Mamwe mabasa aEra, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?

16:15b.1KI.016.015 Negore ramakumi maviri namanomwe raAsa mambo waJudha, Zimiri akabata ushe paTiriza mazuva manomwe. Zvino vanhu vakanga vari kumisasa, vachida kurwa navaGibhetoni raiva ravaFirisitia.

16:16b.1KI.016.016 Zvino vanhu, vakanga vari kumisasa, vakanzwa, zvichinzi, Zimiri wamukira mambo akamuuraya; naizvozvo vaIsiraeri vose, vakanga vari kumisasa, vakagadza Omiri, mukuru wehondo, ave mambo waIsiraeri zuva iro.

16:17b.1KI.016.017 Ipapo Omiri akabva paGibhetoni, akaenda navaIsiraeri vose kuzokomba Tiriza.

16:18b.1KI.016.018 Zvino Zimiri wakati achiona kuti guta rakundwa, akapinda munhare paimba yamambo, akapisira imba yamambo pamusoro pake, akafa;

16:19b.1KI.016.019 nokuda kwezvivi zvake pakuita kwake zvakaipa pamberi paJehovha, achifamba nenzira yaJerobhoamu, nomuzvivi zvake zvaakaita, achitadzisa Isiraeri nazvo.

16:20b.1KI.016.020 Mamwe mabasa aZimiri, nokumukira kwake mambo, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?

16:21b.1KI.016.021 Zvino vanhu vaIsiraeri vakaparadzana, vakaita mapoka maviri; vamwe vakatevera Tibhini mwanakomana waGinati, vachida kumuita mambo wavo, asi vamwe vakatevera Omiri.

16:22b.1KI.016.022 Asi vanhu, vakatevera Omiri, vakakunda vanhu vakatevera Tibhini mwanakomana waGinati; naizvozvo Tibhini akafa, Omiri akabata ushe.

16:23b.1KI.016.023 Negore ramakumi matatu nerimwe raAsa mambo waJudha, Omiri akatanga kubata ushe hwaIsiraeri, akabata makore anegumi namaviri; akabata ushe paTiriza makore matanhatu.

16:24b.1KI.016.024 Akatenga gomo reSamaria kuna Shemeri namatarenda maviri esirivha, akavaka pagomo, akatumidza zita reguta raakavaka Samaria, achitevedzera zita raShemeri, mwene wegomo.

16:25b.1KI.016.025 Asi Omiri wakaita zvakaipa pamberi paJehovha, akapfuura vose vakamutangira pakuita zvakaipa.

16:26b.1KI.016.026 Nokuti wakafamba nenzira yose yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, nomuzvivi zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, vakamutsa shungu dzaJehovha Mwari waIsiraeri nezvinhu zvavo zvakanga zvisina maturo.

16:27b.1KI.016.027 Mamwe mabasa aOmiri, aakaita, nesimba rakaonekwa kwaari, hazvina kunyo rwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?

16:28b.1KI.016.028 Naizvozvo Omiri akavata namadzibaba ake, akavigwa paSamaria, Ahabhi mwanakomana wake, akamutevera paushe. Ahabhi mambo walsiraeri

16:29b.1KI.016.029 Negore ramakumi matatu namasere raAsa mambo waJudha, Ahabhi mwanakomana waOmiri wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri, Ahabhi mwanakomana waOmiri akabata ushe hwaIsiraeri paSamaria makore makumi maviri namaviri.

16:30b.1KI.016.030 Ahabhi mwanakomana waOmiri akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akakunda vose vakamutangira.

16:31b.1KI.016.031 Chakanga chiri chinhu chiduku hacho kwaari kufamba muzvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, asi wakawana Izebheri mukunda waEtibhaari, mambo wavaZidhoni, akandoshumira Bhaari, akanamata kwaari.

16:32b.1KI.016.032 Akavakira Bhaari aritari muimba yaBhaari, yaakavaka paSamaria.

16:33b.1KI.016.033 Ahabhi akaitawo matanda okunamata nawo, Ahabhi akawedzera kumutsa shungu dzaJehovha Mwari waI siraeri, kupfuura madzimambo ose akamutangira.

16:34b.1KI.016.034 Pamazuva ake Hieri muBheteri akavaka Jeriko; akafirwa nedangwe rake, Abhiramu, nguva yakaronga nheyo dzaro, uye akafirwa nomwanakomana wake worugotwe, Segubhi, panguva yaakamisa musuo; sezvazvakarehwa naJehovha nomuromo waJoshua mwanakomana waNuni.

17

17:1b.1KI.017.001 Zvino Eria muTishibhi, waigara Giriyadhi, wakati kuna Ahabhi, NaJehovha mupenyu, Mwari waIsiraeri, iye wandimire pamberi pake, hapangavi nedova kana mvura makore ano, asi kana ndareva ini.

17:2b.1KI.017.002 Zvino shoko raJehovha rikasvika kwaari, richiti,

17:3b.1KI.017.003 Chibva pano, uende kurutivi rwamabvazuva, undovanda parukova Keriti, ruri pamberi paJorodhani.

17:4b.1KI.017.004 Unofanira kunwa mvura yorukova, uye ndakaraira makunguvo kukupa zvokudya ipapo.

17:5b.1KI.017.005 Naizvozvo akaenda, akaita sezvaakaudzwa naJehovha; wakandogara parukova Keriti ruri pamberi paJorodhani.

17:6b.1KI.017.006 Makunguvo akamuvigira chingwa nenyama mangwanani, nechingwa nenyama madekwana; akanwa mvura yorukova.

17:7b.1KI.017.007 Zvino nguva yakati yapfuura rukova rukapwa, nokuti mvura yakanga isinganayi panyika. Muporofita Eria anotumwa kuchirikadzi paZarefati

17:8b.1KI.017.008 Zvino shoko raJehovha rikasvika kwaari, richiti,

17:9b.1KI.017.009 Simuka, uende Zarefati panyika yeZidhoni, ugarepo; tarira, ndaraira chirikadzi igerepo, kuti ikupe zvokudya.

17:10b.1KI.017.010 Naizvozvo akasimuka, akaenda Zarefati; wakati asvika pasuo reguta, akaona chirikadzi yakanga igerepo, ichiunganidza tutsotso; akamudana, akati, Nditorerewo mvura shomanene mumukombe, ndinwe

17:11b.1KI.017.011 Zvino wakati achienda kundoitora, akamudana, akati, Dondivigirawo chimedu chechingwa muruoko rwako.

17:12b.1KI.017.012 Iye akati, NaJehovha Mwari wenyu mupenyu, handina chingwa, asi tsama imwe youpfu mudende, namafuta mashomanene muchinu; tarirai, ndakanga ndichiunganidza tutsotso tuviri, ndichiti ndoenda ndizvigadzirire ini nomwanakomana wangu, tidye, tife hedu.

17:13b.1KI.017.013 Ipapo Eria akati kwaari, Usatya hako, enda undoita chingwa chiduku, undivigire icho, ugozviitira iwe nomwanakomana wako pashure.

17:14b.1KI.017.014 Nokuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, Upfu huri mudende haungaperi, namafuta ari muchinu haangashaikwi, kusvikira pazuva Jehovha raachanaisa naro mvura panyika.

17:15b.1KI.017.015 Iye akaenda, akandoita sezvakataura Eria; iye mukadzi, naiye Eria, neimba yake, vakadya mazuva mazhinji.

17:16b.1KI.017.016 Upfu hwakanga huri mudende hauna kupera, namafuta akanga ari muchinu haana kushaikwa, sezvakanga zvarehwa naJehovha nomuromo waEria.

17:17b.1KI.017.017 Zvino pashure paizvozvo mwanakomana womukadzi, mwene weimba, akarwara; kurwara kwake kukanyanya kwazvo, kusvikira apererwa nomweya.

17:18b.1KI.017.018 Mukadzi akati kuna Eria, Ndineiko nemi, imi munhu waMwari? Makapinda mumba mangu kuti zvivi zvangu zvirangarirwe, uye kuti mwanakomana wangu aurawe here?

17:19b.1KI.017.019 Akati kwaari, Ndipe mwanakomana wako. Akamutora pachipfuva chomukadzi, akamutakurira kuimba yokumusoro, kwaaigara, akamuradzika panhovo yake,

17:20b.1KI.017.020 akadanidzira kuna Jehovha, akati, Jehovha Mwari wangu, makaitireiko chirikadzi yandigere nayo chakaipa chakadai, zvamauraya mwanakomana wake?

17:21b.1KI.017.021 Akatsivama pamusoro pomwana katatu, akadanidzira kuna Jehovha, akati, Jehovha Mwari wangu, ndinokumbira, mweya womwana uyu ngaudzokerezve kwaari.

17:22b.1KI.017.022 Jehovha akanzwa inzwi raEria, mweya womwana ukadzokerazve kwaari, akararamazve.

17:23b.1KI.017.023 Ipapo Eria akatora mwana, akaburuka naye paimba yokumusoro, akamuisa mumba, akamupa mai vake. Eria akati, Tarira, mwana wako mupenyu.

17:24b.1KI.017.024 Mukadzi akati kuna Eria, Zvino ndinoziva kuti muri munhu waMwari, uye kuti shoko raJehovha, riri mumuromo menyu, nderazvokwadi.

18

18:1b.1KI.018.001 Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, shoko raJehovha rikasvika kuna Eria negore rechitatu, richiti, Enda undozviratidza kuna Ahabhi; ndigotuma mvura panyika.

18:2b.1KI.018.002 Ipapo Eria akandozviratidza kuna Ahabhi. Zvino nzara yakanga yanyanya kwazvo paSamaria.

18:3b.1KI.018.003 Ahabhi akadana Obhadhiya, iye wakanga ari mutariri weimba yake. (Zvino Obhadhiya wakanga achitya Jehovha kwazvo;

18:4b.1KI.018.004 nokuti nenguva iyo Izebheri yaakaparadza nayo navaporofita vaJehovha, Obhadhia wakatora vaporofita vane zana, akavavanza makumi mashanu namakumi mashanuzve mubako, akavapa chingwa nemvura.)

18:5b.1KI.018.005 Zvino Ahabhi akati kuna Obhadhiya, Famba nenyika, kumatsime emvura, nokuhova dzose; zvimwe tingawana bundo, tiraramise mabhiza namahesera,tirege kurashikirwa nezvipfuwo zvose.

18:6b.1KI.018.006 Naizvozvo vakagovana nyika, kuti vafambe nayo; Ahabhi akaenda ari oga kuno rumwe rutivi, Obhadhiya akaendawo ari oga kuno rumwe rutivi.

18:7b.1KI.018.007 Zvino Obhadhiya wakati ari panzira, Eria akasangana naye; akamuziva, akawira pasi nechiso chake, akati, Ndimi here, ishe wangu Eria?

18:8b.1KI.018.008 Iye akamupindura, akati, Ndini; enda unoudza ishe wako, uti, Tarirai, Eria ari pano.

18:9b.1KI.018.009 Iye akati, Ndatadzeiko, zvamoda kuisa muranda wenyu mumaoko aAhabhi, andiuraye?

18:10b.1KI.018.010 NaJehovha Mwari wenyu mupenyu, hapano rudzi kana ushe kwaasina kutuma iye ishe wangu kukutsvakai; kana vakati, Haapo pano, waipikisa ushe uhwo kana rudzi urwo, kuti havana kukuwanai.

18:11b.1KI.018.011 Zvino moti, Enda undoudza ishe wako, uti, Eria ari pano.

18:12b.1KI.018.012 Zvimwe ndichangobva kwamuri, Mweya waJehovha ndokukuisai kwandisingazivi; zvino kana ndikandoudza Ahabhi, akakushayai, uchandiuraya, asi ini muranda wenyu ndinotya Jehovha kubva pauduku hwangu.

18:13b.1KI.018.013 Ishe wangu hamuna kuudzwa here zvandakaita panguva iya Izebheri yaakauraya nayo vaporofita vaJehovha kuti ndakavanza vaporofita vaJehovha, vane zana, makumi mashanu namakumi mashanu mubako, ndikavapa zvingwa nemvura?

18:14b.1KI.018.014 Zvino moti, Chindoudza ishe wako, uti, Eria ari pano. Iye uchandiuraya.

18:15b.1KI.018.015 Eria akati, NaJehovha wehondo mupenyu, iye wandimire pamberi pake, ndichazviratidza kwaari nhasi zvirokwazvo.

18:16b.1KI.018.016 Naizvozvo Obhadhiya akaenda kuna Ahabhi, akamuudza Ahabhi akandosangana naEria.

18:17b.1KI.018.017 Zvino Ahabhi wakati achiona Eria, Ahabhi akati kwaari, Ndiwe here, iwe mutambudzi waIsiraeri?

18:18b.1KI.018.018 Iye akati, Ini handina kutambudza Isiraeri; asi ndiwe neimba yababa vako, nokuti makasiya mirairo yaJehovha, mukatevera vaBhaari.

18:19b.1KI.018.019 Naizvozvo zvino chituma vanhu uunganidze vaIsiraeri vose pagomo reKarimeri, navaporofita vaBhaari vana mazana mana vanodya patafura yaIzebheri,

18:20b.1KI.018.020 Naizvozvo Ahabhi akatuma vanhu kuvana vaIsiraeri vose, akaunganidza vaporofita pagomo reKarimeri.

18:21b.1KI.018.021 Zvino Eria akaswedera kuvanhu vose, akati, Mucharamba muchifunga mifungo miviri kusvikira rinhiko? Kana Jehovha ari Mwari, mumutevere, kana ari Bhaari, mumutevere iye. Asi vanhu havana kupindura shoko rimwe.

18:22b.1KI.018.022 Ipapo Eria akati kuvanhu, Ini, iyeni ndoga, ndini ndasara kuvaporofita vaJehovha, asi vaporofita vaBhaari vanosvika varume vana mazana mana namakumi mashanu.

18:23b.1KI.018.023 Naizvozvo ngavatipe nzombe mbiri, ivo vazvitsaurire nzombe imwe, vaiguranye, vaiise pamusoro pehuni, asi varege kuisa moto pasi payo; neniwo ndichagadzira imwe nzombe, ndichiisa pamusoro pehuni, asi ndisingaisi moto pasi payo.

18:24b.1KI.018.024 Zvino imi mudane zita ramwari wenyu, ini ndidanewo zita raJehovha, Mwari unopindura nomoto, iye ngaave Mwari. Vanhu vose vakapindura, vakati, Zvarehwa zvakanaka.

18:25b.1KI.018.025 Ipapo Eria akati kuvaporofita vaBhaari, Chizvitsaurirai nzombe imwe, mutange kuigadzira, nokuti muri vazhinji; mudane zita ramwari wenyu, asi murege kuisa moto pasi payo.

18:26b.1KI.018.026 Ivo vakatora nzombe yavakanga vapiwa, vakaigadzira, vakadana zita raBhaari kubva mangwanani kusvikira masikati makuru, vachiti, Bhaari, tinzwei! Asi kwakanga kusine inzwi kana unopindura. Vakapoteredza aritari yakanga yavakwa vachipembera.

18:27b.1KI.018.027 Zvino panguva yamasikati makuru Eria akavaseka, akati, Danidzirai kwazvo; nokuti mwari, zvimwe ari pakufunga, zvimwe waenda kumwe, zvimwe wafamba rwendo, kana zvimwe uvete hake, anofanira kumutswa.

18:28b.1KI.018.028 Ipapo vakadanidzira kwazvo, vakazvicheka netsika dzavo neminondo namapfumo, kusvikira ropa richidzutuka kwavari.

18:29b.1KI.018.029 Masikati makuru akati apfuura, vakaporofita kusvikira panguva yokubayira chipo chamadekwana; asi kwakanga kusina inzwi kana unopindura, kana wakanga achiteerera.

18:30b.1KI.018.030 Ipapo Eria akati kuvanhu vose, Swederai kwandiri, vanhu vose vakaswedera kwaari. Zvino wakagadzira aritari yaJehovha yakanga yaputswa.

18:31b.1KI.018.031 Eria akatora mabwe ane gumi namaviri akaenzana namarudzi avana vaJakobho iye wakanga audzwa naJehovha zvichinzi, Zita rako richanzi Isiraeri.

18:32b.1KI.018.032 Akavaka aritari namabwe iwayo nezita raJehovha, akachera goronga rakakomba aritari rakanga rakaenzana napangadzvarwa zviyero zviviri zvezviyo.

18:33b.1KI.018.033 Akaronga huni, akaguranya nzombe, akaiisa pamusoro pehuni, akati, Chizadzai zvirongo zvina nemvura, muidire pamusoro pechipiriso chinopiswa, napamusoro pehuni.

18:34b.1KI.018.034 Akati, Itai izvozvo rwechipiri, vakazviita rwechipiri. Akati, Itai izvozvo rwechitatu; vakazviita rwechitatu.

18:35b.1KI.018.035 Mvura ikayerera, ikapoteredza aritari; akazadza negorongawo nemvura.

18:36b.1KI.018.036 Nenguva yokubayira chipo chamadekwana, muporofita Eria akaswedera, akati, Imi Jehovha, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaIsiraeri, uye kuti ini ndiri muranda wenyu, uye kuti ndakaita izvi zvose ndarairwa nemi.

18:37b.1KI.018.037 Ndinzwei Jehovha, ndinzwei, kuti vanhu ava vazive kuti imi Jehovha ndimi Mwari, uye kuti ndimi makadzosazve moyo yavo.

18:38b.1KI.018.038 Ipapo moto waJehovha wakaburuka, ukapedza chipiriso chinopiswa, nehuni, namabwe, neguruva, ukananzva mvura yakanga iri mugoronga.

18:39b.1KI.018.039 Vanhu vose vakati vachizviona, vakawira pasi nezviso zvavo, vakati, Jehovha ndiye Mwari, Jehovha ndiye Mwari!

18:40b.1KI.018.040 Eria akati kwavari, Batai vaporofita vaBhaari, varege kupukunyuka kunyange nomumwe wavo. Vakavabata. Eria akaburuka navo kurukova Kishoni, akavaurayirapo.

18:41b.1KI.018.041 Eria akati kuna Ahabhi, Chirongedzai, mudye, munwe, nokuti kuno kuunga kwemvura zhinji.

18:42b.1KI.018.042 Naizvozvo Ahabhi akarongedza kundodya nokunwa. Eria akakwira pamusoro pegomo reKarimeri, akagwadamira pasi, akaisa chiso chake pakati pamabvi ake;

18:43b.1KI.018.043 akati kumuranda wake, Chikwira zvino, utarire kurutivi rwegungwa. Akakwira akatarira, akati, Hakuna chinhu. Akati, Endazve, kanomwe.

18:44b.1KI.018.044 Zvino panguva yechinomwe akati, Tarirai, kune gore duku, rinokwira richibva mugungwa, rakafanana nechanza chomunhu. Akati, Enda, undoti kuna Ahabhi, Sungai ngoro yenyu, muburuke, kuti murege kudzivirirwa nemvura.

18:45b.1KI.018.045 Zvino nguva duku yakati yapfuura, denga rikasviba namakore nemhepo, mvura zhinji ikanaya Ahabhi akaenda nengoro, akasvika Jezereeri.

18:46b.1KI.018.046 Ruoko rwaJehovha rukasimbisa Eria; akazvisunga chivuno chake, akamhanya pamberi paAhabhi kusvikira pasuo reJezereeri.

19

19:1b.1KI.019.001 Zvino Ahabhi wakaudza Izebheri zvose zvakanga zvaitwa naEria, zvokuuraya kwake vaporofita vose nomunondo.

19:2b.1KI.019.002 Ipapo Izebheri akatuma nhume kuna Eria, akati, Vamwari ngavandirove, ngavarambe vachidaro, kana ini ndikasafananidza upenyu hwako noupenyu hwomumwe wavo mangwana nenguva ino.

19:3b.1KI.019.003 Zvino wakati achiona izvozvo, akasimuka, akatiza, kuti arege kuurawa, akasvika paBheerishebha raiva raJudha, akasiya muranda wake ipapo.

19:4b.1KI.019.004 Asi iye wakafamba rwendo rwezuva rimwe kurenje, akandogara pasi pomurara, akakumbira kuti afe hake; akati, Zvaringana hazvo; zvino Jehovha, chitorai henyu upenyu hwangu, nokuti handipfuuri madzibaba angu pakururama.

19:5b.1KI.019.005 Akavata pasi, akavata hope pasi pomurara. Zvino mutumwa akamugunzva, akati kwaari, Simuka, udye.

19:6b.1KI.019.006 Akatarira, akaona pedo nomusoro wake chingwa chiduku chakanga chagochwa pamazimbe, nechirongo chemvura. Akadya, akanwa, akavata pasizve.

19:7b.1KI.019.007 Mutumwa waJehovha akasvikazve rwechipiri, akamugunzva, akati, Simuka, udye, nokuti uchakundwa norwendo.

19:8b.1KI.019.008 Akasimuka, akadya, akanwa, akafamba asimbiswa nezvokudya izvo, mazuva makumi mana nousiku huna makumi mana kusvikira paHorebhu, pagomo raMwari.

19:9b.1KI.019.009 Akapindapo mubako, akagarapo. Zvino shoko raJehovha rikasvika kwaari, rikati, Unobateiko pano Eria?

19:10b.1KI.019.010 Iye akati, Ndakanga ndichishingairira Jehovha Mwari wehondo kwazvo, nokuti vana valsiraeri vakarasha sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, nokuuraya vaporofita venyu nomunondo; ini ndoga, ndasara hangu; zvino votsvaka kundiuraya.

19:11b.1KI.019.011 Iye akati, Enda, undomira pagomo pamberi paJehovha. Zvino Jehovha akapfuurapo, mhepo huru ine simba ikapamura makomo, ikaputsanya mabwe pamberi paJehovha; asi Jehovha wakanga asiri mumhepo. Mhepo yakati yapfuura, kudengenyeka kwenyika kukavapo; asi Jehovha wakanga asiri mukudengenyeka kwenyika.

19:12b.1KI.019.012 Kudengenyeka kwenyika kwakati kwapfuura, moto ukatevera; asi Jehovha wakanga asiri mumoto; moto wakati wapfuura, kufefetera kwokudzikama kukavapo.

19:13b.1KI.019.013 Zvino Eria wakati achizvinzwa, akafukidza chiso chake nenguvo yake, akabuda, akandomira pamuromo webako. Ipapo inzwi rikasvika kwaari, rikati, Unobateiko pano, Eria?

19:14b.1KI.019.014 Iye akati, Ndakanga ndichishingairira Jehovha Mwari wehondo kwazvo; nokuti vana vaIsiraeri vakarasha sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, vakauraya vaporofita venyu nomunondo; ini, ini ndoga, ndasara hangu; zvino votsvaka kundiuraya.

19:15b.1KI.019.015 Zvino Jehovha akati kwaari, Dzoka nenzira yako yokurenje reDhamasiko; kana wasvikapo, uzodze Hazaeri, ave mambo weSiria,

19:16b.1KI.019.016 naJehu mwanakomana waNimishi umuzodze ave mambo waIsiraeri, naErisha mwanakomana waShafati weAbherimehora, umuzodze ave muporofita panzvimbo yako.

19:17b.1KI.019.017 Nokuti unopukunyuka pamunondo waHazaeri, uchaurawa naJehu; unopukunyuka pamunondo waJehu, uchaurawa naErisha.

19:18b.1KI.019.018 Kunyange zvakadaro ndichasiya pakati paIsiraeri zviuru zvinomwe zvavanhu vasina kupfugamira Bhaari namabvi avo, vasina kumutsvoda nemiromo yavo.

19:19b.1KI.019.019 Naizvozvo akabvapo, akandowana Erisha mwanakomana waShafati, wakanga achirima nenzombe dzakasungwa pamajoko ane gumi namaviri, iye ari pajoko regumi namaviri; Eria akapfuura nokwaari, akakanda nguvo yake pamusoro pake.

19:20b.1KI.019.020 Iye akasiya nzombe, akamhanya achitevera Eria, akati, Nditenderei henyu ndimbondotsvoda baba vangu namai vangu, ndigokuteverai. Iye akati kwaari, Chidzoka hako, nokuti ndakuiteiko?

19:21b.1KI.019.021 Akadzoka pakumutevera, akatora nzombe dzejoko iro, akadzibaya, akagocha nyama yadzo achiita nhumbi dzadzo huni, ndokupa vanhu, ivo vakadya. Zvino wakasimuka, akatevera Eria, akamubatira.

20

20:1b.1KI.020.001 Zvino Bhenihadhadhi, mambo weSiria, wakakoka hondo dzake dzose; iye waiva namadzimambo ana makumi matatu ana maviri, namabhiza, nengoro pamwechete naye; akaenda, akakomba Samaria, akarwa naro.

20:2b.1KI.020.002 Akatuma nhume kuna Ahabhi, mambo waIsiraeri, mukati meguta, akati kwaari, Zvanzi naBhenihadhadhi

20:3b.1KI.020.003 Sirivha yako nendarama yako ndezvangu, navakadzi vako navana vako vakanaka ndavangu.

20:4b.1KI.020.004 Mambo waIsiraeri akapindura, akati, Ndizvo hazvo zvamareva, ishe wangu mambo; ndiri wenyu, nezvose zvandinazvo.

20:5b.1KI.020.005 Nhume dzikadzoka, dzikati, Zvanzi naBhenihadhadhi, Ndakatuma shoko kwauri, ndikati, Unofanira kundipa sirivha yako nendarama yako, navakadzi vako navana vako;

20:6b.1KI.020.006 asi ndichatuma varanda vangu kwauri mangwana nenguva ino; ivo vachanzvera imba yako, nedzimba dzavaranda vako; zvino, zvose zvinofadza meso ako vachazvitora namaoko avo, ndokuenda nazvo.

20:7b.1KI.020.007 Ipapo mambo waIsiraeri wakadana vakuru vose venyika, akati, Cherekedzai, muvone, kuti munhu uyu unotsvaka kutiitira zvakaipa; nokuti wakatuma shoko kwandiri, achiti uchatora vakadzi vangu navana vangu, nesirivha yangu nendarama yangu, ndikasamurambira chinhu.

20:8b.1KI.020.008 Ipapo vakuru vose navanhu vose vakati kwaari, Regai kumuteerera, kana kumutenda.

20:9b.1KI.020.009 Naizvozvo akati kunhume dzaBhenihadhadhi, Udzai ishe wangu mambo, muti, Zvose zvakazivisa muranda wenyu pakutanga, ndichazviita; asi chinhu ichi handingagoni kuchiita. Nhume dzikaenda, dzikadzokera kwaari nemhinduro.

20:10b.1KI.020.010 Ipapo Bhenihadhadhi akatuma shoko kwaari akati, Vamwari ngavandirove, varambe vachidaro, kana guruva reSamaria rikagona kuringana kuti vanhu vose vanonditevera vatsamure tsama namaoko avo.

20:11b.1KI.020.011 Mambo waIsiraeri akapindura, akati, Muudzei muti, Unoshonga nhumbi dzake dzokurwa ngaarege kuzvirumbidza saiye wodzibvisa.

20:12b.1KI.020.012 Zvino iye wakati achinzwa shoko iro ari pakunwa, iye namadzimambo, pamisasa, akati kuvaranda vake, Rongedzai! Ivo vakarongedza kundorwa neguta.

20:13b.1KI.020.013 Zvino mumwe muporofita akaswedera kuna Ahabhi mambo waIsiraeri, akati, Zvanzi naJehovha, Waona vanhu ava vazhinji here? Tarira, ndichavapa mumaoko ako nhasi, ugoziva kuti ndini Jehovha.

20:14b.1KI.020.014 Ahabhi akati, Naniko? Iye akati, Zvanzi naJehovha, Namajaya amachinda amativi enyika. Iye akati, Ndianiko unofanira kuvamba kurwa? Akapindura akati, Iwe!

20:15b.1KI.020.015 Ipapo akaverenga majaya amachinda amativi enyika, vakasvika mazana maviri namakumi matatu namaviri; zvino akaverenga vanhu vose, ivo vana vaIsiraeri vose, vakasvika zviuru zvinomwe.

20:16b.1KI.020.016 Vakasimuka masikati makuru. Zvino Bhenihadhadhi wakanga ari pakunwa pamisasa, akabatwa, iye namadzimambo, iwo madzimambo makumi matatu namaviri akanga achimubatsira.

20:17b.1KI.020.017 Zvino majaya amachinda amativi enyika akatanga kutungamira Bhenihadhadhi akatuma nhume, vakamuudza, vachiti, Kuna varume vanobuda Samaria.

20:18b.1KI.020.018 Iye akati, Kunyange vabuda vachitsvaka rugare, muvabate vari vapenyu, kunyange vabuda vachitsvaka kurwa, muvabate vari vapenyu.

20:19b.1KI.020.019 Naizvozvo vakabuda muguta, iwo majaya amachinda amativi enyika nehondo yakavatevera.

20:20b.1KI.020.020 Mumwe nomumwe akauraya munhu wake, vaSiria vakatiza, vaIsiraeri vakavateverera; naBhenihadhadhi mambo weSiria akatiza, akatasva bhiza ana vamwe vakanga vakatasva mabhiza.

20:21b.1KI.020.021 Ipapo mambo waIsiraeri akabuda, akaparadza mabhiza nengoro, akauraya vaSiria vazhinji-zhinji.

20:22b.1KI.020.022 Zvino muporofita akaswedera kuna mambo waIsiraeri, akati kwaari, Enda undozvisimbisa, uchenjere, ufunge zvakanaka zvaunofanira kuita; nokuti kana gore rapera mambo weSiria uchauya kuzorwa newe.

20:23b.1KI.020.023 Zvino varanda vamambo weSiria vakati kwaari, Mwari wavo ndimwari wamakomo, nemhaka iyo vakatikunda; asi ngatirwe navo pabani, ipapo zvirokwazvo tichavakunda.

20:24b.1KI.020.024 Naizvozvo itai chinhu ichi, Mubvise madzimambo, mumwe nomumwe panzvimbo yake, mugoisa vatariri vehondo panzvimbo yavo;

20:25b.1KI.020.025 mugozviunganidzira hondo yakafanana nehondo yamakarashikirwa nayo, bhiza panzvimbo yebhiza, nengoro panzvimbo yengoro, tirwe navo pabani; zvirokwazvo tichavakunda. Iye akateerera inzwi ravo, akaita saizvozvo.

20:26b.1KI.020.026 Pakupera kwegore Bhenihadhadhi akaunganidza vaSiria, akaenda Afeki kundorwa navaIsiraeri.

20:27b.1KI.020.027 Vana vaIsiraeri vakaunganidzwawo, vakapiwa mbuva, vakandorwa navo; vana vaIsiraeri vakadzika matende avo pakatarisana navo, vakafanana namapoka maduku maviri embudzi, asi vaSiria vakanga vakazadza nyika.

20:28b.1KI.020.028 Zvino munhu waMwari akaswedera, akataura kuna mambo waIsiraeri, akati, Zvanzi naJehovha, VaSiria zvavakati, Jehovha ndimwari wamakomo, asi haazi mwari wamapani, naizvozvo ndichapa vanhu avo vose mumaoko ako, vazive kuti ini ndiri Jehovha.

20:29b.1KI.020.029 Zvino vakagara pamisasa vakatarisana mazuva manomwe. Nomusi wechinomwe vakasangana vakarwa, vana vaIsiraeri vakauraya vaSiria vaifamba namakumbo vane zviuru zvine zana nomusi mumwe.

20:30b.1KI.020.030 Asi vamwe vakatizira muguta reAfeki, rusvingo ndokuwira pamusoro pavarume vane zviuru zvina makumi maviri nezvinomwe vakanga vasara. NaBhenihadhadhi akatizawo, akasvika muguta, akapinda mukamuri yomukati.

20:31b.1KI.020.031 Ipapo varanda vake vakati kwaari, Tarirai zvino, takanzwa kuti madzimambo eimba yaIsiraeri madzimambo ane nyasha; zvino ngatisunge magumbu pazviuno zvedu namakavi pamisoro yedu, tibudire kuna mambo waIsiraeri; zvimwe uchakuregai muri vapenyu.

20:32b.1KI.020.032 Naizvozvo vakasunga magumbu pazviuno zvavo, namakavi pamisoro yavo, vakaenda kuna mambo waIsiraeri, vakati, Zvanzi nomuranda wenyu Bhenihadhadhi, Ndinokumbira kuti murege kundiuraya henyu. Akati, Uchiri mupenyu here? Iye ihama yangu.

20:33b.1KI.020.033 Zvino varume avo vakacherekedza kwazvo, vakakurumidza kugamuchira shoko iro kwaari, vakati, Hoyo, Bhenihadhadhi hama yenyu. Ipapo iye akati, Endai, mumutore. Bhenihadhadhi akabudira kwaari, akamukwidza pangoro.

20:34b.1KI.020.034 Zvino Bhenihadhadhi akati kwaari, Ndichadzosa maguta akatorerwa baba vako nababa vangu; ungazviitira migwagwa muDhamasiko, sezvakaita baba vangu paSamaria. Ahabhi akati, Ini ndichakutendera kuenda nokuda kwesungano iyi. Naizvozvo akaita sungano naye, akamutendera kuenda.

20:35b.1KI.020.035 Zvino mumwe murume wavana vavapomfita akati kushamwari yake arairwa naJehovha, Ndirove hako. Murume akaramba kumurova.

20:36b.1KI.020.036 Ipapo akati kwaari, Zvausina kuteerera inzwi raJehovha, tarira, uchaurawa neshumba kana uchangobva kwandiri. Zvino wakati achangobva kwaari, shumba ikamuwana, ikamuuraya.

20:37b.1KI.020.037 Zvino akawanazve mumwe murume, akati, Ndirove hako. Murume uyo akamurova, akamukuvadza kwazvo.

20:38b.1KI.020.038 Naizvozvo muporofita akabva, akandomirira mambo panzira, akazvishandura nomucheka waakanga asunga kumeso kwake.

20:39b.1KI.020.039 Zvino mambo wakati achipfuura, akadanidzira kuna mambo, akati, Muranda wenyu wakanga apinda pakati pokurwa, ndikaona munhu achitsauka, akauya kwandiri nomumwe murume, akati, Rinda munhu uyu; kana akatongoshaikwa, upenyu hwake huchatsihwa noupenyu hwako; kana izvo zvikakona, uchafanira kuripa netarenda resirivha.

20:40b.1KI.020.040 Zvino muranda wenyu wakati achibatabata hake pano napapo, iye akanyangarika. Mambo waIsiraeri akati kwaari, Ndizvo zvauchatongerwa, wazvitonga umene.

20:41b.1KI.020.041 Akakurumidza kubvisa mucheka kumeso kwake, mambo walsiraeri akamuziva kuti ndomumwe wavaporofita.

20:42b.1KI.020.042 Iye akati kwaari, Zvanzi naJehovha, Zvawatendera munhu kupukunyuka pamaoko ako, iye wakanga atukwa neni kuti aparadzwe, naizvozvo upenyu hwake hwuchatsihwa noupenyu hwako, uye vanhu vake vachatsihwa navanhu vako.

20:43b.1KI.020.043 Mambo waIsiraeri akaenda kumba kwake awora moyo ane shungu, ndokusvika paSamaria.

21

21:1b.1KI.021.001 Zvino shure kwaizvozvo Nabhoti muJezereeri wakanga anomunda wemizambiringa, waiva paJezereeri pedo neimba youshe yaAhabhi mambo weSamaria.

21:2b.1KI.021.002 Zvino Ahabhi akataura naNabhoti, akati, Ndipe munda wako wemizambiringa, ndiuite munda wemiriwo, nokuti uri pedo neimba yangu; ini ndigokupa mumwe munda wemizambiringa unokunda uyu; zvimwe, kana uchida, ndingakupa mari yakaringana mutengo wawo.

21:3b.1KI.021.003 Ipapo Nabhoti akati kuna Ahabhi, Jehovha ngaandidzivise, ndirege kukupai nhaka yamadzibaba angu.

21:4b.1KI.021.004 ipapo Ahabhi akapinda mumba make, avora moyo, ane shungu, nokuda kweshoko raakanga audzwa naNabhoti muJezereeri, nokuti iye wakanga ati, Handingakupiyi nhaka yamadzibaba angu. Akavata panhovo yake, akatendeudza chiso chake, akaramba kudya.

21:5b.1KI.021.005 Zvino Izebheri mukadzi wake akaenda kwaari, akati, moyo wenyu une shungu neiko, zvamusingadi kudya?

21:6b.1KI.021.006 Iye akati kwaari, Nokuti ndakataura naNabhoti muJezereeri, ndikati kwaari, Ndipe munda wako wemizambiringa, ndiutenge nemari; asi kana uchida hako, ndichakupa mumwe munda wemizambiringa panzvimbo yawo, iye akapindura, akati, Handingakupiyi munda wangu wemizambiringa.

21:7b.1KI.021.007 Zvino Izebheri makadzi wake akati kwaari, Ko hamuzimi munobata ushe pakati paIsiraeri here? Mukai, mudye, moyo wenyu ufare, nokuti ini ndichakupai munda wemizambiringa waNabhoti muJezereeri.

21:8b.1KI.021.008 Naizvozvo akanyora mwadhi nezita raAhabhi, akadzisimbisa nechisimbiso chake, akatuma mwadhi idzo kuvakuru, nokumachinda, vaiva muguta rake, vakanga vagere naNabhoti.

21:9b.1KI.021.009 Akanyora pamwadhi idzo, achiti, Tarirai musi wokuzvinyima zvokudya nawo, mukudze Nabhoti pakati pavanhu.

21:10b.1KI.021.010 Mugoraira vanhu vaviri vakaisvoipa vamire pamberi pake, vamupupurire, vachiti, Iwe wakatuka Mwari namambo. Ipapo muende naye kunze kweguta, mumutake namabwe, afe.

21:11b.1KI.021.011 Ipapo varume veguta rake, ivo vakuru namachinda, vakanga vagere muguta rake, vakaita sezvakarairwa naIzebheri, sezvakanyorwa pamwadhi dzavakanga vatumirwa naye.

21:12b.1KI.021.012 Vakatara zuva rokuzvinyima zvokudya, vakakudza Nabhoti pakati pavanhu.

21:13b.1KI.021.013 Zvino varume vaviri vakaisvoipa vakapinda, vakandogara pamberi pake; varume ava vakaisvoipa vakamupupurira, iye Nabhoti, pamberi pavanhu, vakati, Nabhoti wakatuka Mwari namambo. Zvino vakabuda naye paguta, vakamutaka namabwe, akafa.

21:14b.1KI.021.014 Ipapo vakatuma shoko kuna Izebheri, vakati, Nabhoti watakwa namabwe, wafa.

21:15b.1KI.021.015 Zvino Izebheri wakati achinzwa kuti Nabhoti watakwa namabwe, wafa, Izebheri akati kunaAhabhi, Simukai, mundozvitorera munda wemizambiringa waNabhoti muJezereeri, uyo waakadeya kuramba kukupai, nguva yamakada kumupa mari, nokuti Nabhoti haachiri mupenyu, asi wafa.

21:16b.1KI.021.016 Zvino Ahabhi wakati achinzwa kuti Nabhoti wafa, akasimuka, akaburuka kumunda wemizambiringa waNabhoti muJezereeri, kundozvitorera iwo.

21:17b.1KI.021.017 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Eria muTishibhi, richiti,

21:18b.1KI.021.018 Simuka, buruka undosangana naAhabhi mambo waIsiraeri, unogara Samaria; uchamuwana ari mumunda wemizambiringa waNabhoti, kwaaburukira kundozvitorera iwo.

21:19b.1KI.021.019 Umuudze, uti, Zvanzi naJehovha, Wauraya, zvino watorawo here? Zvino umuudzewo, uti, Zvanzi naJehovha, Apo pakananzva imbwa ropa raNabhoti, ndipo padzichananzva ropa rakowo.

21:20b.1KI.021.020 Ahabhi akati kuna Eria, Wandiwana, iwe muvengi wangu here? Akapindura, akati, Ndakuwana; nokuti wazvitengesa kuti uite zvakaipa pamberi paJehovha.

21:21b.1KI.021.021 Tarira, ndichauyisa zvakaipa pamusoro pako, ndichakutsvaira chose, ubve, ndichaparadza vanakomana vose vaAhabhi, vaduku navakuru kuvaIsiraeri.

21:22b.1KI.021.022 Imba yako ndichaiita seimba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, neimba yaBhaasha mwanakomana waAhija, nemhaka yokuti wakanditsamwisa iwe, ukatadzisa Isiraeri.

21:23b.1KI.021.023 Uye Jehovha akataura pamusoro paIzebheri, akati, Imbwa dzichadya Izebheri parusvingo rweJezereeri.

21:24b.1KI.021.024 Ani naani waAhabhi, unofira muguta, uchadyiwa nembwa, Ani naani, unofira kusango, uchadyiwa neshiri dzekudenga.

21:25b.1KI.021.025 (Asi hakuna munhu wakafanana naAhabhi, wakazvitengesa kuti aite zvakaipa pamberi paJehovha, achikurudzirwa naIzebheri mukadzi wake.

21:26b.1KI.021.026 Akaita zvakanyangadza kwazvo, nokuti wakatevera zvifananidzo netsika dzose dzavaAmori, ivo vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri).

21:27b.1KI.021.027 Zvino Ahabhi wakati achinzwa mashoko iwayo, akabvarura nguvo dzake, akasimira magumbu pamuviri wake, akazvinyima zvokudya, akavata pasi namagumbu, akanatsofamba.

21:28b.1KI.021.028 Zvino shoko raJehovha rikasvika kuna Eria muTishibhi, richiti,

21:29b.1KI.021.029 Unoona here kuti Ahabhi unozvininipisa pamberi pangu? Zvaanozvininipisa pamberi pangu, handingauyisi zvakaipa izvo pamazuva ake; asi pamazuva omwanakomana wake ndichauyisa zvakaipa izvo pamusoro peimba yake.

22

22:1b.1KI.022.001 Zvino vakagara makore matatu kusino kurwa pakati pavaSiria navaIsiraeri.

22:2b.1KI.022.002 Zvino negore rechitatu Jehoshafati mambo waJudha wakaburukira kuna mambo waIsiraeri.

22:3b.1KI.022.003 Ipapo mambo waIsiraeri akati kuvaranda vake, Munoziva here kuti RamotiGiriyadhi nderedu? Asi isu tigere hedu tinyerere, tisingaritori kuna mambo weSiria.

22:4b.1KI.022.004 Akati kuna Jehoshafati, Uchaenda neni kundorwa neRamotiGiriyadhi here? Jehoshafati akati kuna mambo waIsiraeri, Ini ndakaita sewe, navanhu vangu savanhu vako, namabhiza angu samabhiza ako.

22:5b.1KI.022.005 Jehoshafati akati kuna mambo waIsiraeri, Dombobvunza hako shoko raJehovha nhasi.

22:6b.1KI.022.006 Zvino mambo waIsiraeri akaunganidza vaporofita, vanenge varume vaiva namazana mana, akati kwavari, Ndiende kundorwa neRamotiGiriyadhi here, kana ndirege? Ivo vakati, Endai, nokuti Ishe uchariisa mumaoko amambo.

22:7b.1KI.022.007 Asi Jehoshafati akati, Hakuchina mumwe muporofita waJehovha pano here, timubvunze?

22:8b.1KI.022.008 Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, Mumwe murume uchiriko, Mikaya mwanakomana waImira, watingabvunza kuda kwaJehovha naye, asi ini ndinomuvenga, nokuti haaporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa. Jehoshafati akati, Mambo ngaarege kudaro.

22:9b.1KI.022.009 Zvino mambo waIsiraeri akadana muranda, akati, Kurumidza undotora Mikaya mwanakomana waImira.

22:10b.1KI.022.010 Zvino mambo waIsiraeri naJehoshafati mambo waJudha vakanga vagere mumwe nomumwe pachigaro chake choushe, vakafuka nguvo dzavo dzoushe padare pasuo reSamaria; vaporofita vose vakaporofita pamberi pavo.

22:11b.1KI.022.011 Zedhekia mwanakomana waKenaani akazviitira nyanga dzamatare, akati, Zvanzi naJehovha, Nedzidzi muchatunga vaSiria, kusvikira vapera.

22:12b.1KI.022.012 Navamwe vaporofita vose vakaporofita saizvozvo, vakati, Endai Ramotigiteadhi, muchakunda, nokuti Jehovha uchariisa muruoko rwamambo.

22:13b.1KI.022.013 Zvino nhume yakanga yandodana Mikaya yakataura kwaari, ikati, Tarirai, mashoko avaporofita anobvumirana achitaura zvakanaka kuna mambo; zvino ndinokumbira kuti shoko renyu rive seshoko romumwe wavo, mutaurewo zvakanaka.

22:14b.1KI.022.014 Ipapo Mikaya akati, NaJehovha mupenyu, izvo zvinorehwa naJehovha kwandiri, ndizvo zvandichataura.

22:15b.1KI.022.015 Zvino wakati achisvika kuna mambo, mambo akati kwaari, Mikaya, tiende kundorwa neRamotiGiriyadhi here, kana tirege? Akapindura, akati, Endai henyu, muchakunda, nokuti Jehovha uchariisa muruoko rwamambo.

22:16b.1KI.022.016 Mambo akati kwaari, Ndinofanira kukupikisa kangani kuti undiudze zvokwadi yoga nezita raJehovha?

22:17b.1KI.022.017 Iye akati, Ndaona vaIsiraeri vose vakapararira pamakomo samakwai asina mufudzi, Jehovha akati, Ava havana tenzi, mumwe nomumwe ngaadzokere kumusha kwake norugare.

22:18b.1KI.022.018 Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, Handina kukuudza here? Kuti haangaporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa?

22:19b.1KI.022.019 Mikaya akati, Zvino chinzwai shoko raJehovha, Ndakaona Jehovha agere pachigaro chake choushe, nehondo dzose dzokudenga dzimire naye kurudyi rwake nokuruboshwe rwake.

22:20b.1KI.022.020 Ipapo Jehovha akati, Ndianiko uchandonyengera Ahabhi, aende, andourawa paRamotiGiriyadhi? Zvino mumwe akati zvokuti, nomumwezve akati zvokuti.

22:21b.1KI.022.021 Zvino mweya ukabuda, ukamira pamberi paJehovha, ukati, Ini ndichandomunyengera.

22:22b.1KI.022.022 Jehovha akati kwauri, Neiko? Iwo ukati, Ndichaenda, ndichava mweya wenhema mumiromo yavaporofita vake vose. Iye akati, Iwe ndiwe uchamunyengera, uchakundawo; enda hako, undoita saizvozvo.

22:23b.1KI.022.023 Naizvozvo zvino, tarirai Jehovha wakaisa mweya wenhema mumiromo yavaporofita venyu ava vose, asi Jehovha wakataura zvakaipa pamusoro penyu.

22:24b.1KI.022.024 Ipapo Zedhekia mwanakomana waKenaani akaswedera, akarova Mikaya padama rake, akati, Mweya waJehovha wakaenda nepiko uchibva kwandiri kundotaura newe?

22:25b.1KI.022.025 Mikaya akati, Uchazviona musi uyo wauchandovanda mukamuri yomukati.

22:26b.1KI.022.026 Ipapo mambo waIsiraeri akati, Batai Mikaya, mumuise kuna Amoni mubati weguta, nokuna Joashi mwanakomana wamambo,

22:27b.1KI.022.027 muti, Zvanzi namambo, pinzai munhu uyu mutorongo, mumupe zvokudya zvokutambudzika, nemvura yokutambudzika, kusvikira ndichidzoka norugare.

22:28b.1KI.022.028 Ipapo Mikaya akati, Kana mukadzoka norugare, Jehovha haana kutaura neni. Akati, Inzwai, imi vanhu, imi mose.

22:29b.1KI.022.029 Naizvozvo mambo waIsiraeri naJehoshafati mambo waJudha vakaenda RamotiGiriyadhi.

22:30b.1KI.022.030 Zvino mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, Ini ndichazvishandura, ndigondorwa; asi iwe chifuka nguvo dzangu dzoushe. Mambo waIsiraeri akazvishandura, akandorwa.

22:31b.1KI.022.031 Zvino mambo weSiria wakanga araira vatariri vengoro dzake, vana makumi matatu navaviri, akati, Regai kurwa navaduku kana navakuru, asi namambo waIsiraeri oga.

22:32b.1KI.022.032 Zvino vatariri vengoro vakati vachiona Jehoshafati, vakati, Zvirokwazvo ndiye mambo waIsiraeri. Vakatsaukira kundorwa naye; zvino Jehoshafati akaridza mhere.

22:33b.1KI.022.033 Ipapo vatariri vengoro vakati vachiona kuti haazi mambo waIsiraeri, vakadzoka pakumutevera.

22:34b.1KI.022.034 Zvino mumwe murume akahwembura uta hwake asingashumbi, hake, akafura mambo waIsiraeri pakati pezvisungo zvenguvo dzake dzokurwa nadzo, ipapo mambo akati kumufambisi wengoro yake, Dzoka, undiise kunze kwehondo, nokuti ndakuvadzwa kwazvo.

22:35b.1KI.022.035 Kurwa kukanyanya kwazvo nomusi uyo; mambo akatsigirwa mungoro yake pakurwa navaSiria, akafa madekwana; ropa rikabuda pavanga rikaerera mukati mengoro.

22:36b.1KI.022.036 Zvino zuva rakati rovira mhere ikanzwika pahondo yose, ichiti, Mumwe nomumwe ngaadzokere kuguta rake, mumwe nomumwe kunyika yake.

22:37b.1KI.022.037 Naizvozvo mambo akafa, akaiswa Samaria, vakaviga mambo paSamaria.

22:38b.1KI.022.038 Vakasuka ngoro padziva reSamaria, imbwa dzikananzva ropa rake, (ndipo paishamba zvifeve); sezvakanga zvarehwa neshoko raJehovha.

22:39b.1KI.022.039 Zvino mamwe mabasa aAhabhi, nezvose zvaakaita, neimba yenyanga dzenzou yaakavaka, namaguta ose aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?

22:40b.1KI.022.040 Naizvozvo Ahabhi akavata namadzibaba ake, Ahazia mwanakomana wake akamutevera paushe.

22:41b.1KI.022.041 Zvino Jehoshafati mwanakomana waAsa, wakatanga kubata ushe hwaJudha negore rechina raAhabhi mambo waIsiraeri.

22:42b.1KI.022.042 Jehoshafati wakanga ava namakore makumi matatu namashanu pakutanga kwake kubata ushe; akabata makore makumi maviri namashanu paJerusaremu. Zita ramai vake rakanga riri Azubha, mukunda waShirihi.

22:43b.1KI.022.043 Akafamba panzira dzose dzababa vake Asa; haana kutsauka padziri, asi wakaita zvakarurama pamberi paJehovha; kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa, vanhu vakaramba vachingobayira nokupisira zvinonhuwira pamatunhu akakwirira.

22:44b.1KI.022.044 Jehoshafati akayanana namambo waIsiraeri.

22:45b.1KI.022.045 Zvino mamwe mabasa aJehoshafati, nesimba rakaonekwa kwaari, nokurwa kwake, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?

22:46b.1KI.022.046 VaSodhomiwo vakanga vasiyiwa pamazuva aAsa baba vake, akavabvisawo panyika.

22:47b.1KI.022.047 Asi paEdhomu pakanga pasina mambo mumwe wakanga achibata panzvimbo yamambo.

22:48b.1KI.022.048 Jehoshafati akavaka zvikepe zveTarishishi kuenda Ofiri kuzotora ndarama; asi hazvina kuenda, nokuti zvikepe zvakaputsika paEZiyonigebheri.

22:49b.1KI.022.049 Zvino Ahazia mwanakomana waAhabhi akati kuna Jehoshafati, Varanda vangu ngavaende navaranda vako nezvikepe. Asi Jehoshafati wakaramba.

22:50b.1KI.022.050 Jehoshafati akavata namadzibaba ake, akavigwa kuna madzibaba ake paguta raDhavhidhi baba vake, Jehorami mwanakomana wake akamutevera paushe.

22:51b.1KI.022.051 Ahazia mwanakomana waAhabhi, akatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria pagore regumi namanomwe raJehoshafati mambo waJudha, akabata ushe hwaIsiraeri makore maviri.

22:52b.1KI.022.052 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akafamba nenzira yababa vake, uye nenzira yamai vake, uye nenzira yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, wakatadzisa Isiraeri.

22:53b.1KI.022.053 Nokuti wakashumira Bhaari, akanamata kwaari, akatsamwisa Jehovha Mwari waIsiraeri, sezvakaita baba vake pazvose.


Holder of rights
Multilingual Bible Corpus

Citation Suggestion for this Object
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. 1 Kings (Shona). 1 Kings (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C575-6