Deuteronomy (Shona)
1
1:1b.DEU.001.001 Ndiwo mashoko akataurwa naMozisi kuvaIsiraeri vose mhiri kwaJorodhani murenje, muMupata wakatarisana neSufi, pakati peParani, neTofera, neRabhani, neHazeroti, neDhizahabhi.
1:2b.DEU.001.002 Kubva paHorebhu, nenzira yokugomo reSeiri, kusvika paKadheshi-bharinea, munhu anofamba mazuva ane gumi nerimwe.
1:3b.DEU.001.003 Zvino pagore ramakumi mana, pamwedzi wegumi nomumwe, nezuva rokutanga romwedzi, Mozisi wakaudza vana vaIsiraeri zvose zvavakarairwa naJehovha naye;
1:4b.DEU.001.004 wakati akunda Sihoni, mambo wavaAmori, wakanga agere Heshibhoni, naOgi, mambo weBhashani, wakanga agere Ashitaroti, paEdhirei,
1:5b.DEU.001.005 Mozisi akatanga kududzira murayiro uyu vari mhiri kwaJorodhani, panyika yokwaMoabhu, akati,
1:6b.DEU.001.006 Jehovha Mwari wedu akataura nesu paHorebhu, akati, Makagara nguva yakaringana pagomo iri.
1:7b.DEU.001.007 Dzokai, mufambe, muende kumakomo avaAmori nokunzvimbo dzose dziri pedo nawo, kuMupata, nokumakomo, nokumapani, nokurutivi rwezasi, nokumhenderekedzo dzegungwa, nokunyika yavaKenani, nokuRebhanoni, kusvikira kurwizi rukuru, rwizi Yufuratesi.
1:8b.DEU.001.008 Tarirai, ndakaisa nyika pamberi penyu; pindai, mutore nyika yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha, kuna Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, kuti vachaipiwa ivo navana vavo vanovatevera.
1:9b.DEU.001.009 Nguva iyo ndakataura nemi, ndikati, Handigoni kukutakurai ndiri ndoga;
1:10b.DEU.001.010 Jehovha Mwari wenyu wakakuwanzai; tarirai, nhasi mava senyeredzi dzokudenga pakuwanda kwenyu.
1:11b.DEU.001.011 Jehovha Mwari wamadzibaba enyu ngaakuwedzerei rune chiuru chamazana pamakasvika zvino, amuropafadze sezvaakakupikirai.
1:12b.DEU.001.012 Ini ndoga ndingatakura seiko kurema kwenyu, nomutoro wenyu, nokurwa kwenyu?
1:13b.DEU.001.013 Muzvitsaurirei varume vakachenjera, vakangwara, vanozikanwa, kumarudzi enyu, ndivaite vakuru venyu.
1:14b.DEU.001.014 Mukandipindura, mukati, Chinhu icho chamataura chakanaka kuti tichiite.
1:15b.DEU.001.015 Ipapo ndakatora vakuru vamarudzi enyu, varume vakanga vakachenjera, vakanga vakazikanwa, ndikavaita vakuru venyu, vave vakuru vezviuru, navakuru vamazana, navakuru vamakumi mashanu, navakuru vevane gumi, navatariri kumarudzi enyu.
1:16b.DEU.001.016 Nenguva iyo ndikaraira vatongi venyu, ndikati, teererai mhosva dziri pakati pehama dzenyu, mururamisire pakati pomunhu nehama yake, nomutorwa ugere naye.
1:17b.DEU.001.017 Musatsaura vanhu pakutonga kwenyu; munofanira kuteerera muduku nomukuru nomutoo mumwe; musatya munhu; nokuti kutonga ndokwa Mwari; asi kana kune mhaka yamusingagoni, muuye nayo kwandiri kuti ndiinzwe.
1:18b.DEU.001.018 Nenguva iyo ndakakurairai zvose zvamunofanira kuita.
1:19b.DEU.001.019 Zvino takasimuka paHorebhu, tikafamba murenje iro rose guru rinotyisa, ramakaona panzira yokumakomo avaAmori, sezvatakarairwa naJehovha Mwari wedu; tikasvika paKadheshi-bharinea.
1:20b.DEU.001.020 Ndikati kwamuri, Masvika panyika yamakomo yavaAmori, yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.
1:21b.DEU.001.021 Tarirai, Jehovha, Mwari wenyu wakaisa nyika iyo pamberi penyu; kwirai, muitore, sezvamakaudzwa naJehovha Mwari wamadzibaba enyu; musatya kana kuvhunduka.
1:22b.DEU.001.022 Ipapo imwi makaswedera mose kwandiri, mukati, Ngatitume varume vatitungamirire, vatishorere nyika, vagouya kuzotiudza nzira yatinofanira kukwira nayo, namaguta atichandosvika kwaari.
1:23b.DEU.001.023 Shoko iro rakandifadza; ndikatsaura varume vane gumi navaviri pakati penyu, murume mumwe kurudzi rumwe norumwe.
1:24b.DEU.001.024 Ivo vakaenda vakakwira mugomo, vakasvika mumupata weEshikori, vakaishora,
1:25b.DEU.001.025 Vakatora mimwe michero yenyika mumaoko avo, vakaburukira kwatiri nayo, vakadzoka neshoko kwatiri, vakati, Inyika yakanaka, yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.
1:26b.DEU.001.026 Asi makaramba kukwira, mukamukira kuraira kwaJehovha Mwari wenyu;
1:27b.DEU.001.027 mukanyunyuta mumatende enyu, mukati, Jehovha wakativenga, saka wakatibudisa munyika yeIjipiti, kuti atiise mumaoko avaAmori, kuti atiparadze.
1:28b.DEU.001.028 Zvino tichaendepiko? Hama dzedu dzanyawusa moyo yedu, dzichiti, Vanhu avo vanotikunda nokukura nokureba; maguta makuru, akakombwa namasvingo anosvika kudenga; uye, takaonako vana vaEnaki.
1:29b.DEU.001.029 Ipapo ini ndakati kwamuri, Musavhunduka henyu, kana kuvatya.
1:30b.DEU.001.030 Jehovha Mwari wenyu unokutungamirirai, iye uchakurwirai, sezvaakakuitirai zvose paIjipiti pamberi penyu,
1:31b.DEU.001.031 nomurenje pamakaona muberekero wamakaberekwa nawo naJehovha Mwari wenyu, somunhu unobereka mwana wake; panzira dzenyu dzose dzamakafamba nadzo, kudzimara muchisvika panzvimbo iyi.
1:32b.DEU.001.032 Asi pachinhu ichi hamuna kutenda Jehovha Mwari wenyu;
1:33b.DEU.001.033 iye wakakutungamirirai panzira, kuti akutsvakirei pamungadzika matende enyu, nomoto usiku, kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo, uye negore masikati.
1:34b.DEU.001.034 Zvino Jehovha akanzwa inzwi ramashoko enyu, akatsamwa, akapika, achiti,
1:35b.DEU.001.035 Zvirokwazvo, hakungavi nomumwe wavanhu ava, vorudzi urwu rwakaipa, uchaona nyika yakanaka, yandakapika ndichiti ndichaipa madzibaba enyu,
1:36b.DEU.001.036 asi Karebhu, mwanakomana waJefune, ndiye uchaiona; ndichamupa iye navana vake nyika yaakatsika, nokuti iye wakatevera Jehovha nomoyo wose.
1:37b.DEU.001.037 Jehovha akanditsamwira neniwo nokuda kwenyu, akati, Newewo haungapindi ikoko;
1:38b.DEU.001.038 Joshua mwanakomana waNuni, umire pamberi pako, ndiye uchapinda ikoko; umusimbise, nokuti ndiye uchagarisa vaIsiraeri nhaka yavo.
1:39b.DEU.001.039 Vana venyu vaduku, vamakati vachatapwa, navana venyu vasingazivi nhasi zvakanaka nezvakaipa, ndivo vachapinda ikoko; ndichavapa iyo, ive yavo.
1:40b.DEU.001.040 Asi kana murimwi, dzokai mufambe murenje nenzira yokuGungwa dzvuku
1:41b.DEU.001.041 Zvino imwi mukapindura, mukati kwandiri, Takatadzira Jehovha, tichakwira hedu tindorwa, zvose sezvatakarairwa naJehovha Mwari wedu. Mukashonga mumwe nomumwe nhumbi dzake dzokurwa nadzo, mukada kukwira mugomo.
1:42b.DEU.001.042 Zvino Jehovha akati kwandiri, Uti kwavari: Musakwira kana kurwa, nokuti ini handizi pakati penyu; kuti murege kukundwa pamberi pavavengi venyu.
1:43b.DEU.001.043 Naizvozvo ndakataura nemi, asi makaramba kunditeerera; asi makamukira murayiro waJehovha, mukaita manyawi, mukakwira mugomo.
1:44b.DEU.001.044 Zvino vaAmori vakanga vagere mugomo iro, vakabuda kuzorwa nemi, vakakudzingai, sezvinoita nyuchi, vakakuparadzai kusvikira paHoma.
1:45b.DEU.001.045 Ipapo makadzoka, mukachema pamberi paJehovha, asi Jehovha haana kuteerera inzwi renyu, kana kurerekera nzeve dzake.
1:46b.DEU.001.046 Naizvozvo makagara paKadheshi mazuva mazhinji, nguva yamakagarapo.
2
2:1b.DEU.002.001 Zvino takadzoka, tikafamba tichipinda murenje nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku, sezvandakaudzwa naJehovha, tikapota-pota gomo reSeiri mazuva mazhinji.
2:2b.DEU.002.002 Zvino Jehovha akataura neni, akati,
2:3b.DEU.002.003 Mapota-pota gomo iri nguva yaringana; dzokai muende nechokumusoro.
2:4b.DEU.002.004 Raira vanhu, uti, Munofanira kupfuura nomunyika yehama dzenyu, vana vaEsau, vagere Seiri; ivo vachakutyai, saka chenjerai
2:5b.DEU.002.005 Musavavamba, nokuti handingakupiyi nyika yavo, kunyange pangatsikwa norutsoka; nokuti ndakapa Esau gomo reSeiri, rive rake.
2:6b.DEU.002.006 Munofanira kutenga zvokudya kwavari nemari, mudye, nemvura munofanira kuitengawo kwavari, munwe.
2:7b.DEU.002.007 Nokuti Jehovha Mwari wako wakakuropafadza pamabasa ose amaoko ako; iye unoziva kufamba kwako murenje iri guru. Jehovha Mwari wako wakava newe makore awa makumi mana; hauna kushaiwa chinhu.
2:8b.DEU.002.008 Naizvozvo takapfuura hama dzedu, vana vaEsau, vagere Seiri, tikasiya nzira yokuMupata, inobva Erati napaEZiyoni-gebheri. Takadzoka, tikapfuura nenzira yokurenje rokwaMoabhu.
2:9b.DEU.002.009 Zvino Jehovha akati kwandiri, Usarwa navaMoabhu, kana kuvavamba pakurwa; nokuti handingakupi nyika yavo, ive yako; nokuti ndakapa Ari kuvana vaRoti, ive yavo.
2:10b.DEU.002.010 (Kare vaEmi vakanga vageremo, vaiva vanhu vakuru, vazhinji, varefu, savaAnaki;
2:11b.DEU.002.011 vanonzi vorudzi rwavaRefaimu, savaAnaki, asi vaMoabhu vanovaidza vaEmi.
2:12b.DEU.002.012 NavaHoriwo vakanga vagere Seiri kare; asi vana vaEsau vakavatevera, vakavaparadza pamberi pavo, vakagara panzvimbo yavo; sezvakaita vaIsiraeri nenyika yavo yavakapiwa naJehovha ive yavo.)
2:13b.DEU.002.013 Zvino simukai, muyambuke rukova Zeredhi. Tikayambuka rukova Zeredhi.
2:14b.DEU.002.014 Zvino mazuva okubva kwedu paKadheshi-bharinea kusvikira tayambuka rukova Zeredhi, aiva makore makumi matatu namasere; kusvikira rudzi rwose rwavarume vehondo vaparadzwa pakati pemisasa, sezvavakanga vapikirwa naJehovha.
2:15b.DEU.002.015 Uye ruoko rwaJehovhawo rwairamba ruchirwa navo, kuti vaparadzwe pakati pemisasa kusvikira vapera.
2:16b.DEU.002.016 Zvino varume vose vehondo vakati vapera nokufa pakati pavanhu,
2:17b.DEU.002.017 Jehovha akataura neni, akati,
2:18b.DEU.002.018 Nhasi unofanira kupfuura napaAri, pamuganhu waMoabhu;
2:19b.DEU.002.019 kana woswedera pakatarisana navana vaAmoni, usarwa navo, kana kuvavamba; nokuti handingakupi nyika yavana vaAmoni, ive yako; nokuti ndakaipa vana vaRoti, ive yavo.
2:20b.DEU.002.020 Naiyowo yainzi inyika yavaRefaimu; vaRefaimu vakanga vageremo kare; asi vaAmoni vaivaidza vaZamuzumi;
2:21b.DEU.002.021 vaiva vanhu vakuru, vazhinji, varefu savaAnaki; asi Jehovha wakavaparadza pamberi pavo, vakavatevera, vakagara panzvimbo yavo;
2:22b.DEU.002.022 sezvaakaita navana vaEsau, vanogara Seiri, nguva yaakaparadza vaHori pamberi pavo, ivo vakavatevera, vakagara panzvimbo yavo kusvikira nhasi;
2:23b.DEU.002.023 vaAvhi, vakanga vagere mumisha kusvikira Gaza, vakaparadzwa navaKafitori, vakabva Kafitori, vakagara panzvimbo yavo.
2:24b.DEU.002.024 Simukai, mufambe, muyambuke rwizi Arinoni; tarirai, ndakaisa mumaoko enyu Sihoni muAmori, mambo weHeshibhoni, nenyika yake; tangai kuitora, muvambe kurwa naye.
2:25b.DEU.002.025 Nhasi ndichatanga kuvhundusa nokutyisa ndudzi dziri pasi pedenga rose pamusoro penyu, ivo vachanzwa guhu pamusoro penyu, vachabvunda nokutya kwazvo pamusoro penyu.
2:26b.DEU.002.026 Zvino ndakatuma nhume mbiri murenje reKedhemoti, kuna Sihoni, mambo weHeshibhoni, namashoko orugare, ndichiti,
2:27b.DEU.002.027 Nditendere kupfuura nomunyika yako, ndichafamba nenzira huru, handingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe.
2:28b.DEU.002.028 Munganditengesera zvokudya nemari, ndidye; mungandipa mvura ndichiripa nemari, ndinwe, asi nditenderei henyu kupfuura namakumbo;
2:29b.DEU.002.029 sezvandakaitirwa navana vaEsau vagere Seiri, navaMoabhu, vagere Ari; kusvikira ndayambuka Jorodhani, ndikapinda munyika yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.
2:30b.DEU.002.030 Asi Sihoni, mambo weHeshibhoni, wakaramba kutitendera kupfuura nokwaari, nokuti Jehovha Mwari wako wakawomesa mweya wake, akarambidza moyo wake, kuti amuise iye muruoko rwako, sezvazvakaita nhasi.
2:31b.DEU.002.031 Zvino Jehovha akati kwandiri, Tarira, ndatanga kuisa Sihoni nenyika yake kwauri; tanga kutora, kuti nyika ive yako.
2:32b.DEU.002.032 Ipapo Sihoni akauya, iye navanhu vake vose kuzorwa nesu paJahazi.
2:33b.DEU.002.033 Jehovha Mwari wedu akamuisa mumaoko edu, tikamukunda, iye navana vake, navanhu vake vose.
2:34b.DEU.002.034 Nenguva iyo tikakunda maguta ake ose, tikaparadza chose maguta ose aiva navanhu, pamwechete navakadzi navana vaduku, hatina kusiya kunyange nomumwe.
2:35b.DEU.002.035 Asi zvipfuwo zvoga takazvitora zvive zvedu zvatakatapa, pamwechete nezvatakapamba pamaguta atakakunda.
2:36b.DEU.002.036 Kubva paAroeri pamuuyo worwizi Arinoni, nokuguta riri parwizi, kusvikira Giriyadhi, kwakanga kusina guta rakatikurira; Jehovha Mwari wedu wakaaisa ose pamaoko edu;
2:37b.DEU.002.037 asi hamuna kuswedera kunyika yavana vaAmoni; kurutivi rwose rworwizi Jabhoki, namaguta enyika yamakomo, napose patakanga tadziviswa naJehovha Mwari wedu.
3
3:1b.DEU.003.001 Zvino takadzoka, tikakwira nenzira inoenda Bhashani; Ogi, mambo weBhashani, akabuda, iye navanhu vake vose, kuzorwa nesu paEdhirei.
3:2b.DEU.003.002 Jehovha akati kwandiri, Usamutya, nokuti ndakamuisa paruoko rwako, iye navanhu vake vose, nenyika yake; unofanira kuita naye sezvawakaitira Sihoni, mambo wavaAmori, wakanga agere Heshibhoni.
3:3b.DEU.003.003 Naizvozvo Jehovha Mwari wedu wakaisa mumaoko edu naiye Ogiwo, mambo weBhashani, navanhu vake vose; tikamukunda kusvikira asina munhu waakasiyirwa.
3:4b.DEU.003.004 Nenguva iyo tikakunda maguta ake ose; kwakanga kusina guta rimwe ratisina kumutorera, maguta ana makumi matanhatu, nenyika yose yeArigobhu, noushe hwaOgi muBhashani.
3:5b.DEU.003.005 Iwo akanga ari maguta akapoteredzwa ose namasvingo marefu, namasuo, namazariro, kunze kwemisha mizhinji-zhinji yakanga isina masvingo.
3:6b.DEU.003.006 Tikaaparadza chose, sezvatakaitira Sihoni, mambo weHeshibhoni, tikaparadza chose maguta ose akanga ana vanhu, pamwechete navakadzi navana vaduku.
3:7b.DEU.003.007 Asi zvipfuwo zvose, nezvakapambwa pamaguta awo, izvo takazvitapa isu.
3:8b.DEU.003.008 Nenguva iyo takatorera madzimambo maviri avaAmori, vakanga vagere mhiri kwaJorodhani, nyika yavo kubva parwizi Arinoni, kusvikira pagomo reHerimoni,
3:9b.DEU.003.009 (Herimoni rinotumidzwa Sirioni navaSidhoni, asi vaAmori vanoritumidza Seniri;)
3:10b.DEU.003.010 maguta ose ebani, neGiriyadhi rose, neBhashani rose, kusvikira paSareka neEdhirei, iwo maguta oushe hwaOgi muBhashani.
3:11b.DEU.003.011 (Nokuti Ogi, mambo weBhashani, ndiye woga wakanga asara kuna vakanga vasara vavaRefaimu; mubhedha wake wakanga uri wamatare; ko hauzi paRabha ravana vaAmoni here? Kureba kwawo kwakanga kuchisvika pamakubhiti mapfumbamwe, noupamhi hwawo pamakubhiti mana, kana zvichienzaniswa nekubhiti romunhu.)
3:12b.DEU.003.012 Nyika iyi takaitora nenguva iyo, ikava yedu; ndikapa vaRubheni navaGadhi nyika inobva paAroeri, parwizi Arinoni, nehafu yenyika yamakomo yeGiriyadhi, namaguta ayo;
3:13b.DEU.003.013 ndikapa hafu yorudzi rwaManase pakanga pasara paGiriyadhi, neBhashani rose, ushe hwaOgi, nenyika yose yeArigobhu, ndiro Bhashani rose. (Ndiyo inonzi nyika yavaRefaimu.
3:14b.DEU.003.014 Jairi mwanakomana waManase, akatora nyika yose yeArigobhu, kusvikira pamuganhu wavaGeshuri navaMaakati, akaitumidza, iro Bhashani rose, zita rake, Havhoti-jairi, kusvikira nhasi.)
3:15b.DEU.003.015 Ndikapa Makiri Giriyadhi.
3:16b.DEU.003.016 Asi vaRubheni navaGadhi ndakavapa kubva paGiriyadhi kusvikira parwizi Arinoni, uye pakati pomupata nenyika yawo, kusvikira parwizi Jabhoki, ndiyo nyika yavana vaAmoni.
3:17b.DEU.003.017 Uye noMupata, neJorodhani, nenyika inobva paKinereti,kusvikira pagungwa romupata, ndiro Gungwa roMunyu, pajinga pegomo rePisiga, kumabvazuva.
3:18b.DEU.003.018 Nenguva iyo ndakakurairai, ndikati, Jehovha Mwari wenyu wakakupai nyika iyo kuti ive yenyu; zvino munofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu, vana vaIsiraeri, makashonga nhumbi dzokurwa, imwi varume vose mhare.
3:19b.DEU.003.019 Asi vakadzi venyu, navana venyu vaduku, nezvipfuwo zvenyu (ndinoziva kuti mune zvipfuwo zvizhinji), izvo zvinofanira kusara mumaguta andakakupai;
3:20b.DEU.003.020 kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo semi, kuti naivo vave nenyika yavanopiwa naJehovha Mwari wenyu mhiri kwaJorodhani; ipapo mungadzokera mumwe nomumwe kunhaka yake, yandakakupai.
3:21b.DEU.003.021 Nenguva iyo ndikarairawo Joshua, ndikati, Meso ako akaona zvose zvakaitirwa madzimambo awa maviri naJehovha Mwari wenyu; saizvozvo Jehovha uchaitira ushe hwose kwamunoyambuka.
3:22b.DEU.003.022 Hamufaniri kuvatya, nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye unokurwirai.
3:23b.DEU.003.023 Nenguva iyo ndikanyengetera kuna Jehovha, ndikati,
3:24b.DEU.003.024 imwi Jehovha Mwari, makatanga kuratidza muranda wenyu ukuru hwenyu, noruoko rwenyu rune simba; nokuti ndoupiko mwari kudenga kana panyika ungaita zvakafanana namabasa enyu, nesimba renyu?
3:25b.DEU.003.025 Donditenderai henyu kuyambuka, ndione nyika yakanaka iri mhiri kwaJorodhani, negomo iro rakanaka, neRebhanoni.
3:26b.DEU.003.026 Asi Jehovha wakanditsamwira nokuda kwenyu, akasandinzwa; Jehovha akati kwandiri, Zvaringana! Chirega kuzotaurazve neni pamusoro peshoko iro.
3:27b.DEU.003.027 Kwira pamusoro-soro pePisiga, utarire kumavirazuva, nokumusoro, nezasi nokumabvazuva, uone nameso ako; nokuti haungayambuki Jorodhani urwu.
3:28b.DEU.003.028 Asi raira Joshua, umutse moyo wake nokumusimbisa, nokuti iye uchayambuka pamberi pavanhu ava, iye uchavagarisa nhaka yenyika yauchaona.
3:29b.DEU.003.029 Zvino tikagara pamupata wakatarisana neBheti-peori.
4
4:1b.DEU.004.001 Zvino imwi vana vaIsiraeri, teererai zvakatemwa nezvakatongwa, zvandinokudzidzisai, kuti muzviite; kuti murarame, mupinde mutore nyika, yamunopiwa naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu.
4:2b.DEU.004.002 Musawedzera kana kutapudza pashoko randinokurairai, kuti muchengete mirairo yaJehovha Mwari wenyu, yandinokurairai.
4:3b.DEU.004.003 Meso enyu akaona zvakaitwa naJehovha nokuda kwezvakaitwa paBhaari-peori; nokuti varume vose vakatevera Bhaari-peori, Jehovha Mwari wenyu wakavaparadza pakati penyu.
4:4b.DEU.004.004 Asi imwi, makanamatira Jehovha Mwari wenyu, imwi mose muri vapenyu kusvikira nhasi.
4:5b.DEU.004.005 Tarirai, ndakakudzidzisai zvakatemwa nezvakatongwa, sezvandakarairwa naJehovha Mwari wangu, kuti muite saizvozvo panyika yamunopinda, kuti ive yenyu.
4:6b.DEU.004.006 Naizvozvo muchengete izvozvo, muzviite; nokuti ndiko kuchenjera kwenyu nokungwara kwenyu pamberi pavanhu vachanzwa zvose izvi zvakatemwa, vachiti, Zvirokwazvo, rudzi urwu rukuru ndivanhu vakachenjera vakangwara.
4:7b.DEU.004.007 Nokuti rudzi rukuru ruripiko, runa mwari uri pedo navo, saJehovha Mwari wedu nguva ipi neipi yatinodana kwaari?
4:8b.DEU.004.008 Rudzi rukuru ruripiko, rune zvakatemwa nezvakatongwa zvakarurama somurayiro uyu wose, wandinoisa pamberi penyu nhasi?
4:9b.DEU.004.009 Asi zvichenjererei, mushingaire kuchengeta mweya yenyu, kuti murege kukanganwa zvinhu zvamakaona nameso enyu, zvirege kuzobva pamoyo yenyu mazuva ose oupenyu hwenyu; asi munofanira kuzvizivisa vana venyu navana vavana venyu;
4:10b.DEU.004.010 musi wamakanga mumire pamberi paJehovha Mwari wenyu paHorebhu, musi Jehovha waakati kwandiri, Ndiunganidzire vanhu, ndivaudze mashoko angu, kuti vadzidze kunditya mazuva ose avachagara panyika, vagodzidzisa vana vavowo.
4:11b.DEU.004.011 imwi mukaswedera, mukamira pajinga pegomo; gomo rikapfuta nomoto kusvikira pakati pedenga, pamwechete nerima, negore, nokusviba kukuru.
4:12b.DEU.004.012 Zvino Jehovha wakataura nemi ari mukati momoto; mukanzwa inzwi ramashoko, asi hamuna kuona kuti wakadini; makanzwa inzwi roga.
4:13b.DEU.004.013 Ipapo wakadudzira sungano yake kwamuri, yaakakurairai, kuti muiite, iye mirairo ine gumi; akainyora pamahwendefa maviri amabwe.
4:14b.DEU.004.014 Nenguva iyo Jehovha akandiraira, kuti ndikudzidzisei zvakatemwa nezvakatongwa, kuti mundozviita panyika iyo, kwamunoenda, kuzoiita yenyu.
4:15b.DEU.004.015 Naizvozvo zvichenjererei nokuti hamuna kuona kuti wakanga akadini, musi Jehovha waakataura nemi paHorebhu ari pakati pomoto.
4:16b.DEU.004.016 Kuti murege kuzvishatisa, muchizviitira chifananidzo chakavezwa, chakafanana nechinhu chipi nechipi, kana mufananidzo womurume kana womukadzi,
4:17b.DEU.004.017 kana mufananidzo wemhuka ipi neipi iri panyika, kana mufananidzo weshiri ipi neipi ina mapapiro, inobhururuka mudenga,
4:18b.DEU.004.018 kana mufananidzo wechinhu chipi nechipi chinokambaira pasi, kana mufananidzo wehove ipi neipi iri mumvura pasi penyika;
4:19b.DEU.004.019 kuti murege kusimudzira meso enyu kudenga, zvino kana muchiona zuva nomwedzi nenyeredzi, hondo yose yokudenga, mukatsauswa mukanamata kwazviri nokuzvishumira, izvo zvakagoverwa ndudzi dzose dziri pasi pedenga naJehovha Mwari wenyu.
4:20b.DEU.004.020 Asi Jehovha wakakutorai imwi, akakubudisai muchoto chamatare, paIjipiti, kuti muve vanhu venhaka yake, sezvamuri nhasi.
4:21b.DEU.004.021 Jehovha akanditsamwirawo nokuda kwenyu, akapika kuti ini handingayambuki Jorodhani, ndipinde munyika iyo yakanaka, yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu, kuti ive yenyu.
4:22b.DEU.004.022 Asi ini ndinofanira kufira munyika ino, handifaniri kuyambuka Jorodhani asi imwi muchayambuka henyu, mukapiwa nyika iyo yakanaka.
4:23b.DEU.004.023 Muzvichenjerere, kuti murege kukanganwa sungano yaJehovha Mwari wenyu, yaakaita nemi, mukazviitira chifananidzo chakavezwa chomufananidzo wechinhu chipi nechipi, chawakadziviswa naJehovha Mwari wako.
4:24b.DEU.004.024 Nokuti Jehovha Mwari wako, moto unoparadza, naMwari ane godo.
4:25b.DEU.004.025 Zvino kana iwe wabereka vana navazukuru, mukagara ,nguva huru panyika, mukazvishatisa, mukaita chifananidzo chakavezwa nomufananidzo wechinhu chipi nechipi, mukaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wako, mukamutsamwisa;
4:26b.DEU.004.026 ini ndinodana denga napasi zvikupupurirei nhasi, kuti muchakurumidza kuparadzwa chose panyika yamunoyambukira Jorodhani kuti muende kwairi kuiita yenyu; hamungaitimo mazuva mazhinji, asi muchaparadzwa chose.
4:27b.DEU.004.027 Jehovha uchakuparadzirai pakati pendudzi, muchasara muri vashoma pakati pendudzi, kwamuchandoiswa naJehovha.
4:28b.DEU.004.028 Apo muchashumira vamwari, vakaitwa namaoko avanhu, vamatanda navamabwe, vasingaoni, kana kunzwa, kana kudya, kana kunhuwidza.
4:29b.DEU.004.029 Asi kana mukazotsvaka Jehovha Mwari wako, ipapo, uchamuwana, kana ukamutsvaka nomoyo wako wose nomweya wako wose.
4:30b.DEU.004.030 Zvino kana uri munjodzi, zvinhu izvi zvose zvakuwira, pamazuva okupedzisira uchadzokera kuna Jehovha Mwari wako, ukateerera inzwi rake.
4:31b.DEU.004.031 Nokuti Jehovha Mwari wako ndiMwari une nyasha; haangakusiyi, kana kukuparadza, kana kukanganwa sungano yamadzibaba ako, yaakavapikira.
4:32b.DEU.004.032 Nokuti bvunzai henyu zvino pamazuva akapfuura, imwi musati mavapo, kubva pazuva rokusikwa kwavanhu panyika naMwari, kubva panorumwe rutivi rwedenga kusvikira kuno rumwe, kana kwaimbovapo chinhu chikuru chakadai, kunyange kumbonzwika chakadai?
4:33b.DEU.004.033 Ko kuna vanhu, vakambonzwa inzwi raMwari richitaura riri mukati momoto, sezvamakanzwa imwi, vakararama here?
4:34b.DEU.004.034 Kana Mwari wakatongoidza kundozvitsaurira rudzi pakati porumwe rudzi, nemiidzo, nezviratidzo, nezvinoshamisa, nehondo, nechanza chine simba, noruoko rwakatambanudzwa, nezvinotyisa kwazvo, sezvamakaona zvamakaitirwa zvose naJehovha paIjipiti here?
4:35b.DEU.004.035 imwi makaratidzwa izvozvo, kuti muzive kuti Jehovha ndiye Mwari; hakunomumwe kunze kwake.
4:36b.DEU.004.036 Wakakunzwisai inzwi rake ari kudenga, kuti akudzidzise; panyika wakakuonesa moto wake mukuru; iwe wakanzwa mashoko ake ari mukati momoto.
4:37b.DEU.004.037 Wakada madzibaba ako, naizvozvo akazvitsaurira vana vavo vakavatevera, akakubudisa paIjipiti, iye anewe nesimba rake guru;
4:38b.DEU.004.038 kuti adzinge pamberi pako ndudzi dzinokupfuura noukuru nesimba, akupinze iwe, akupe nyika yavo ive nhaka yako, sezvaakaita nhasi.
4:39b.DEU.004.039 Naizvozvo uzive nhasi, uzvichengete mumoyo mako, kuti Jehovha ndiye Mwari kudenga kumusoro napanyika pasi; hakunomumwe.
4:40b.DEU.004.040 Unofanira kuchengeta zvaakatema, nemirairo yake, yandinokuraira nhasi, kuti ufare iwe navana vako vanokutevera, kuti uwedzere mazuva ako panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako nokusingaperi. Maguta outiziro kumabvazuva kwaJorodhani
4:41b.DEU.004.041 Zvino Mozisi akatsaura maguta matatu mhiri kwaJorodhani kumabvazuva
4:42b.DEU.004.042 kuti. muurayi agone kutizirako, iye wakauraya wokwake, asina kuita nobwoni, asina kumuvenga kare; kuti kana achinge atizira kune rimwe ramaguta iwayo, ararame;
4:43b.DEU.004.043 aiti: Bhezeri murenje, kunyika yamapani, wavaRubheni, neRamoti paGiriyadhi, wavaGadhi, neGorani paBhashani, wavaManase. Mirairo ine gumi inogamhidzwa
4:44b.DEU.004.044 Zvino ndiwo murayiro wakaiswa naMozisi pamberi pavana vaIsiraeri.
4:45b.DEU.004.045 Ndizvo zvakapupurwa, zvakatemwa, nezvakatongwa, zvakataurwa naMozisi kuvana vaIsiraeri, pakubuda kwavo Ijipiti;
4:46b.DEU.004.046 vari kumabvazuva kwaJorodhani, pamupata wakatarisana neBheti-peori, munyika yaSihoni, mambo wavaAmori, wakanga agere Heshibhoni, iye wakakundwa naMozisi navana vaIsiraeri, pakubuda kwavo Ijipiti;
4:47b.DEU.004.047 vakatora nyika yake, nenyika yaOgi, mambo weBhashani, ikava yavo; iwo madzimambo maviri avaAmori, vakanga vari mhiri kwaJorodhani, kumabvazuva;
4:48b.DEU.004.048 kubva paAroeri, pamuuyo womupata weArinoni, kusvikira pagomo reSioni (ndiro Herimoni),
4:49b.DEU.004.049 noMupata wose uri mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, kusvikira pagungwa romupata, pajinga pePisiga.
5
5:1b.DEU.005.001 Zvino Mozisi akadana vaIsiraeri vose, akati kwavari, Inzwai vaIsiraeri, zvakatemwa nezvakatongwa, zvandinotaura nhasi muchizvinzwa, kuti muzvidzidze nokuzvichengeta mugozviita.
5:2b.DEU.005.002 Jehovha Mwari wedu wakaita sungano nesu paHorebhu.
5:3b.DEU.005.003 Jehovha haana kuita sungano iyi namadzibaba edu, asi nesu, isu tose tiri vapenyu nhasi pano.
5:4b.DEU.005.004 Jehovha akataura nemi, zviso zvakatarisana, ari mukati momoto,
5:5b.DEU.005.005 (nenguva iyo ini ndakanga ndimire pakati paJehovha nemi, kuti ndikuzivisei shoko raJehovha; nokuti imi makanga muchitya nokuda kwomoto, mukasakwira mugomo;) akati,
5:6b.DEU.005.006 Ndini Jehovha Mwari wako, wakakubudisa munyika yeIjipiti, muimba youranda.
5:7b.DEU.005.007 Usava navamwe vamwari kunze kwangu.
5:8b.DEU.005.008 Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika.
5:9b.DEU.005.009 Usapfugamira izvozvo, kana kuzvishumira; nokuti ini Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari une godo; ndinorova vana nokuda kwezvivi zvamadzibaba avo, kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwavanondivenga;
5:10b.DEU.005.010 ndichiitira nyasha vane zviuru zvamazana vanondida, vanochengeta mirairo yangu.
5:11b.DEU.005.011 Usareva zita raJehovha Mwari wako pasina; nokuti Jehovha haangaregi kumupa mhosva unoreva zita rake pasina.
5:12b.DEU.005.012 Chengeta zuva reSabata, rive dzvene, sezvawakarairwa naJehovha Mwari wako.
5:13b.DEU.005.013 Ubate basa mazuva matanhatu, uite mabasa ako ose.
5:14b.DEU.005.014 Asi zuva rechinomwe iSabata raJehovha Mwari wako; usatongobata mabasa naro, iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana muranda wako, kana murandakadzi wako, kana mombe yako, kana mbongoro yako, kana chimwe chezvipfuwo zvako, kana mweni wako uri mukati mamasuo ako; kuti muranda wako nomurandakadzi wako vazorore sewe.
5:15b.DEU.005.015 Unofanira kurangarira kuti newewo waiva muranda panyika Jehovha Mwari wako akakubudisa nechanza chine simba noruoko rwakatambanudzwa; naizvozvo Jehovha Mwari wako wakakuraira kuti uchengete zuva reSabata.
5:16b.DEU.005.016 Kudza baba vako namai vako, sezvawakarairwa naJehovha Mwari wako; kuti mazuva ako ave mazhinji, ufare panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
5:17b.DEU.005.017 Usauraya.
5:18b.DEU.005.018 Uye usaita upombwe.
5:19b.DEU.005.019 Uye usaba.
5:20b.DEU.005.020 Uye usapupurira wokwako nhema.
5:21b.DEU.005.021 Uye usachiva mukadzi wowokwako; uye usachochora imba yowokwako, kana munda wake, kana muranda wake, kana murandakadzi wake, kana mombe yake, kana mbongoro yake, kana chimwe chinhu chowokwako.
5:22b.DEU.005.022 Jehovha wakataura mashoko awa ose pagomo kuungano yenyu yose, ari mukati memoto negore, nokusviba kukuru, nenzwi guru; haana kuwedzera mamwe. Akaanyora pamahwendefa maviri amabwe, akandipa iwo.
5:23b.DEU.005.023 Zvino imwi makati muchinzwa inzwi richibva mukati merima, negomo richipfuta nomoto, mukaswedera kwandiri, vakuru vose Namarudzi enyu, navakuru venyu,
5:24b.DEU.005.024 mukati, Tarirai, Jehovha Mwari wedu watiratidza kubwinya kwake noukuru hwake, tikanzwa inzwi rake richibva mumoto; taona hedu nhasi kuti Mwari ungataura nomunhu, akararama hake.
5:25b.DEU.005.025 Naizvozvo zvino tichafireiko? Nokuti moto uyu mukuru uchatiparadza, kana tikaramba tichinzwa inzwi raJehovha Mwari wedu tichafa.
5:26b.DEU.005.026 Nokuti ndianiko pakati pavanhu vose wakanzwa inzwi raMwari mupenyu achitaura ari mumoto, sesu, akararama here?
5:27b.DEU.005.027 Swedera hako iwe, unzwe zvose zvicharehwa naJehovha Mwari wedu, ugozotiudza zvose zvauchaudzwa iwe naJehovha Mwari wedu; tichazvinzwa, nokuzviita.
5:28b.DEU.005.028 Zvino Jehovha akanzwa inzwi ramashoko enyu, nguva yamakataura neni; Jehovha akati kwandiri, Ndanzwa inzwi ramashoko avanhu ava, avakataura newe; zvose zvavakareva vakataura havo zvakanaka.
5:29b.DEU.005.029 Dai vaiva nemoyo yakadai, vakanditya nokuchengeta mirairo yangu nguva dzose, kuti zvive zvakanaka navo, ivo navana vavo, nokusingaperi!
5:30b.DEU.005.030 Enda, undoti kwavari, Dzokerai kumatende enyu.
5:31b.DEU.005.031 Asi iwe, mira pano kwandiri, ndikuudze murayiro wose, nezvakatemwa, nezvakatongwa, zvaunofanira kuvadzidzisa, kuti vazviite panyika yandinovapa, kuti ive yavo.
5:32b.DEU.005.032 Naizvozvo chenjerai, kuti muite sezvamakarairwa naJehovha Mwari wenyu; musatsaukira kurutivi rworudyi kana rworuboshwe.
5:33b.DEU.005.033 Munofanira kufamba nenzira yose yamakarairwa naJehovha Mwari wenyu, kuti murarame, zvive zvakanaka nemi, namazuva enyu ave mazhinji panyika iyo, ichava yenyu.
6
6:1b.DEU.006.001 Zvino ndiwo murairo, nezvakatemwa, nezvakatongwa, zvandakarairwa naJehovha Mwari wenyu kuti ndikudzidzisei, kuti muzviite kunyika kwamunoenda kuti ive yenyu;
6:2b.DEU.006.002 kuti utye Jehovha Mwari wako, uchengete zvose zvaakatema nemirairo yake, yandinokuraira, iwe, nomwanakomana wako, nomwanakomana womwanakomana wako, mazuva ose oupenyu hwako, kuti mazuva ako ave mazhinji.
6:3b.DEU.006.003 Naizvozvo chinzwa Isiraeri, uchenjere kuti uzviite; kuti zvive zvakanaka newe, muwande kwazvo, sezvamakapikirwa naJehovha Mwari wamadzibaba ako, panyika inoyerera mukaka nouchi.
6:4b.DEU.006.004 Chinzwa Isiraeri, Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete.
6:5b.DEU.006.005 Ude Jehovha Mwari wako nomoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose.
6:6b.DEU.006.006 Zvino mashoko awa andinokuraira nhasi, anofanira kuva mumoyo mako,
6:7b.DEU.006.007 unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.
6:8b.DEU.006.008 Unofanira kuasungira paruoko rwako, chive chiratidzo; uye anofanira kuva rundanyara pakati pameso ako.
6:9b.DEU.006.009 Unofanira kuanyora pamagwatidziro emikova yeimba yako, napamasuo ako.
6:10b.DEU.006.010 Zvino kana Jehovha Mwari wako achinge akupinza munyika, yaakapikira madzibaba ako, Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, kuti uchakupa iyo, namaguta makuru akanaka, ausina kuvaka iwe,
6:11b.DEU.006.011 nedzimba dzizere nezvinhu zvose zvakanaka, dzausina kuzadza iwe, namakangwa akacherwa, ausina kuchera iwe, neminda yemizambiringa nemiorivhi, yausina kusima iwe; iwe ukadya ukaguta,
6:12b.DEU.006.012 zvino chenjera kuti urege kukanganwa Jehovha, wakakubudisa panyika yeIjipiti paimba youranda.
6:13b.DEU.006.013 Unofanira kutya Jehovha Mwari wako, nokumushumira, nokupika nezita rake.
6:14b.DEU.006.014 Regai kutevera vamwe vamwari, vamwari vendudzi dzinokupoteredzai,
6:15b.DEU.006.015 nokuti Jehovha Mwari wako, ari pakati pako, ndiMwari ane godo; kuti Jehovha Mwari wako arege kukutsamwira, akuparadze panyika pose.
6:16b.DEU.006.016 Musaidza Jehovha Mwari wenyu, sezvamakamuidza paMasa.
6:17b.DEU.006.017 Munofanira kushingaira kuchengeta mirairo yaJehovha Mwari wenyu, nezvipupuriro zvake, nezvaakatema, zvaakakuraira.
6:18b.DEU.006.018 Uye unofanira kuita zvakarurama nezvakanaka pamberi paJehovha, kuti zvive zvakanaka newe, upinde munyika yakanaka ive yako, iyo yakapikirwa madzibaba ako naJehovha,
6:19b.DEU.006.019 kuti iye uchadzinga vavengi vako vose pamberi pako, sezvakataurwa naJehovha.
6:20b.DEU.006.020 Zvino kana mwanakomana wako akakubvunza pashure, achiti, Ko izvi zvipupuriro, nezvakatemwa, nezvakatongwa, zvamakarairwa naJehovha Mwari wedu, zvinodiniko?
6:21b.DEU.006.021 Unofanira kuti kumwanakomana wako, Isu takanga tiri varanda vaFarao, Jehovha akatibudisa nechanza chine simba;
6:22b.DEU.006.022 Jehovha akaita zviratidzo nezvinoshamisa kwazvo, zvakaipa, paIjipiti, nokuna Farao, nokuimba yake yose, tichizviona;
6:23b.DEU.006.023 akatibudisapo, kuti atipinze pano, atipe nyika yaakapikira madzibaba edu.
6:24b.DEU.006.024 Jehovha akaraira kuti tiite izvi zvose zvaakatema, titye Jehovha Mwari wedu, kuti tiitirwe zvakanaka nguva dzose, atichengete tive vapenyu, sezvatakaita nhasi.
6:25b.DEU.006.025 Zvichava zvakarurama kwatiri, kana tichichenjerera kuti tiite murayiro wose pamberi paJehovha Mwari wedu, sezvatakarairwa naye.
7
7:1b.DEU.007.001 Zvino kana Jehovha Mwari akupinza munyika maunoenda, kuiita yako, akadzinga ndudzi zhinji pamberi pako, dzinoti: vaHeti, navaGirigashi, navaAmori, navaKenani, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi, ndudzi nomwe dzinokukunda noukuru nesimba;
7:2b.DEU.007.002 kana Jehovha Mwari wako akavaisa mumaoko ako, ukavakunda, iwe unofanira kuvaparadza chose; haufaniri kuita sungano navo, kana kuvanzwira nyasha;
7:3b.DEU.007.003 usawanana navo, usapa mwanakomana wake mwanasikana wako, kana kutorera mwanakomana wako mwanasikana wake.
7:4b.DEU.007.004 Nokuti uchatsausa mwanakomana wako arege kunditevera, kuti ashumire vamwe vamwari; naizvozvo Jehovha achakutsamwirai kwazvo, akakurumidza kukuparadza.
7:5b.DEU.007.005 Asi ndizvo zvamunofanira kuvaitira: Munofanira kuputsa atari dzavo, nokuputsanya shongwe dzavo, nokutema matanda avo avanonamata nawo, nokupisa mifananidzo yavo yakavezwa.
7:6b.DEU.007.006 Nokuti uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako; Jehovha Mwari wako wakakutsaura kuti uve rudzi rwake chairwo pakati pendudzi dzose dziri panyika dzose.
7:7b.DEU.007.007 Jehovha haana kukudai, kana kukutsaurai, nokuti makanga makapfuura dzimwe ndudzi nokuwanda; nokuti imwi makanga muri vashoma kundudzi dzose.
7:8b.DEU.007.008 Asi nokuti Jehovha unokudai, uye nokuti wakanga achida kusimbisa kupika kwaakapikira madzibaba enyu, nokuda kwaizvozvo Jehovha wakakubudisai neruoko rune simba, akakudzikunurai paimba youranda paruoko rwaFarao, mambo weIjipiti.
7:9b.DEU.007.009 Naizvozvo uzive kuti Jehovha Mwari wako, ndiye Mwari, Mwari wakatendeka, anosimbisa sungano yake nenyasha dzake kuna vanomuda, vanochengeta mirairo yake kusvikira kumarudzi ane chiuru chamazana;
7:10b.DEU.007.010 anotsiva vanomuvenga mumwe nomumwe, kuti avaparadze; haanganonokeri munhu anomuvenga, asi achamutsiva iye amene.
7:11b.DEU.007.011 Naizvozvo unofanira kuchengeta murayiro, nezvaakatema, nezvaakatonga, zvandinokuraira nhasi, kuti uzviite.
7:12b.DEU.007.012 Zvino kana muchiteerera izvi zvakatongwa, mukazvichengeta nokuzviita, Jehovha Mwari wako achakusimbisira sungano yake nenyasha dzake sezvaakapikira madzibaba ako;
7:13b.DEU.007.013 iye achakuda, nokukuropafadza, nokukuwanza; acharopafadzawo zvibereko zvomuviri wako, nezvibereko zvevhu rako, zviyo zvako, newaini yako, namafuta ako, nezvakaberekwa nemombe dzako, namakwayana amakwai ako, panyika yaakapikira madzibaba ako, kuti achakupa iyo.
7:14b.DEU.007.014 Ucharopafadzwa iwe kupfuura dzimwe ndudzi dzose; hapangavi pakati penyu murume kana mukadzi asingabereki, kana pakati pezvipfuwo zvenyu.
7:15b.DEU.007.015 Jehovha uchabvisa kwamuri hosha dzose; haangatumiri kwamuri matenda akaipa eIj ipiti aunoziva, asi uchaatuma kuvanhu vose vanokuvenga.
7:16b.DEU.007.016 Iwe uchaparadza ndudzi dzose dzichaiswa mumaoko ako naJehovha Mwari wako; usadzinzwira nyasha; usashumira vamwari vavo, nokuti vachava musungo kwauri.
7:17b.DEU.007.017 Zvino kana ukati mumoyo mako, Ndudzi idzi dzinotipfuura nokuwanda, ndingadzitorera seiko nyika yadzo?
7:18b.DEU.007.018 Haufaniri kuvatya; unofanira kurangarira zvakanaka zvakaitirwa Farao navaIjipiti vose naJehovha Mwari wako;
7:19b.DEU.007.019 nemiidzo mikuru yamakaona nameso enyu, nezviratidzo, nezvinoshamisa, neruoko rune simba, noruoko rwakatambanudzwa, zvawakabudiswa nazvo naJehovha Mwari wako; ndizvo zvichaitira Jehovha Mwari wako vanhu vose vaunotya.
7:20b.DEU.007.020 Uye Jehovha Mwari wako uchatuma mago pakati pavo, kusvikira avo vakanga vasara, vakavanda, vaparadzwa pamberi pako.
7:21b.DEU.007.021 Usavatya, nokuti Jehovha Mwari wako ari pakati pako, Mwari mukuru unotyisa.
7:22b.DEU.007.022 Jehovha Mwari wako uchadzinga ndudzi idzo pamberi pako, rumwe-rumwe; haufaniri kuvaparadza vose kamwe, kuti zvikara zvesango zvirege kukuwandira.
7:23b.DEU.007.023 Asi Jehovha Mwari wako uchavaisa mumaoko ako, nokuvanyonganisa, nokunyonganisa kukuru, kusvikira vaparadzwa chose.
7:24b.DEU.007.024 Uchaisawo madzimambo avo mumaoko ako, kuti urozve mazita avo pasi pedenga; hapano munhu ungagona kumira pamberi pako, kusvikira wavaparadza.
7:25b.DEU.007.025 Munofanira kupisa mifananidzo yavo yakavezwa yavamwari vavo; haufaniri kuchochora sirivha kana ndarama iri pavari, kana kuitora, kuti urege kuteyiwa nazvo; nokuti zvinonyangadza pamberi paJehovha Mwari wako;
7:26b.DEU.007.026 usapinza chinonyangadza mumba mako, kuti iwe urege kuva chinhu chakayeriswa saicho; unofanira kuchisema chose, nokuchivenga chose, nokuti chinhu chakayeriswa.
8
8:1b.DEU.008.001 Murayiro wose wandinokurairai nhasi munofanira kuchenjera kuti muuite, kuti mugorarama, nokuwanda, nokupinda munyika yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha, muiite yenyu.
8:2b.DEU.008.002 Unofanira kurangarira nzira yose yawakafambiswa nayo naJehovha Mwari wako murenje makore awa makumi mana, kuti akuninipise, nokukuidza, kuti azive zvaiva mumoyo mako, kana wakanga uchida kuchengeta mirairo yake, kana kwete.
8:3b.DEU.008.003 Akakuninipisa, akakuziyisa nenzara, akakugutsa nemana yawakanga usingazivi, kunyange madzibaba ako akanga asingaziviwo; kuti akuzivise kuti munhu haararami nezvokudya zvoga, asi kuti munhu unorarama nezvose zvinobuda mumuromo waJehovha.
8:4b.DEU.008.004 nguvo dzako hadzina kukusakarira, netsoka dzako hadzina kuzvimba makore awa makumi mana.
8:5b.DEU.008.005 Funga mumoyo mako, kuti Jehovha Mwari wako unokuranga somunhu unoranga mwanakomana wake.
8:6b.DEU.008.006 Unofanira kuchengeta mirairo yaJehovha Mwari wako, kuti ufambe nenzira dzake nokumutya.
8:7b.DEU.008.007 Nokuti Jehovha Mwari wako unokupinza munyika yakanaka, nyika ine hova dzemvura, namatsime, namadziva akadzika, anobuda pamipata napamakomo;
8:8b.DEU.008.008 nyika ine zviyo, nebhari, nemizambiringa, nemionde, nemitamba; nyika yemiorivhi ina mafuta, nouchi;
8:9b.DEU.008.009 nyika kwauchadya chingwa, usingashaiwi, kwausingatongoshaiwi chinhu; nyika ina mabwe emhangura, napamakomo ayo uchachera ndarira.
8:10b.DEU.008.010 Uchadya ukaguta, ukavonga Jehovha Mwari wako nokuda kwenyika yakanaka yaakakupa.
8:11b.DEU.008.011 Chenjera kuti urege kukanganwa Jehovha Mwari wako, ukasachengeta mirairo yake, nezvaakatonga, nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi;
8:12b.DEU.008.012 kuti kana wadya ukaguta, ukavaka dzimba dzakanaka, ukagara madziri,
8:13b.DEU.008.013 nemombe dzako namakwai ako akawanda, nesirivha yako nendarama yako ikawanda, nezvose zvaunazvo zvikawanda,
8:14b.DEU.008.014 moyo wako ukazvikudza, ukakanganwa Jehovha Mwari wako, wakakubudisa panyika yeIjipiti paimba youranda;
8:15b.DEU.008.015 iye wakakufambisa murenje guru rinotyisa, makanga mune nyoka dzinopenga nezvinyavada, nevhu rakaoma risina mvura; iye wakakubudisira mvura padombo romusarasara;
8:16b.DEU.008.016 wakakugutsa murenje nemana, yakanga isina kuzikanwa namadzibaba ako, kuti akuninipise akuidze, kuti akuitire zvakanaka pakupedzisira;
8:17b.DEU.008.017 kuti urege kuzoti mumoyo mako, Simba rangu nokugona kworuoko rwangu ndizvo zvakandiwanisa fuma iyi.
8:18b.DEU.008.018 Asi unofanira kurangarira Jehovha Mwari wako, nokuti ndiye unokupa simba rokufuma; kuti asimbise sungano yake, yaakapikira madzibaba ako, sezvaanoita nhasi.
8:19b.DEU.008.019 Zvino kana ukakanganwa Jehovha Mwari wako, ukatevera vamwe vamwari, ukavashumira, ukanamata kwavari, ndinokupupurirai nhasi kuti muchaparadzwa zvirokwazvo.
8:20b.DEU.008.020 imwi muchaparadzwa sendudzi dzinoparadzwa naJehovha pamberi penyu; nokuti makaramba kuteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu.
9
9:1b.DEU.009.001 Inzwa, iwe Isiraeri, nhasi unofanira kuyambuka Jorodhani, kuti upinde nyika kundopiwa ndudzi dzinokupfuura paukuru nesimba, dzive dzako, namaguta makuru ana masvingo anosvika kudenga,
9:2b.DEU.009.002 navanhu vakuru varefu, vana vaAnaki, vaunoziva, vawakanzwa zvichinzi, Ndianiko ungamira pamberi pavana vaAnaki?
9:3b.DEU.009.003 Naizvozvo uzive nhasi kuti Jehovha Mwari wako ndiye unokutungamirira somoto unoparadza; iye uchavaparadza, iye uchavakunda pamberi pako; naizvozvo iwe uchavadzinga, nokuvaparadza nokukurumidza, sezvawakaudzwa naJehovha.
9:4b.DEU.009.004 Zvino kana Jehovha Mwari wako avadzinga pamberi pako, usataura mumoyo mako, uchiti, Jehovha wakandipinza munyika ino ive yangu, nokuda kwokururama kwangu; nokuti Jehovha unodzinga ndudzi idzi nokuda kwokuipa kwavo.
9:5b.DEU.009.005 Haupindi munyika yavo, ive yako, nokuda kwokururama kwako, kana nokuda kwokururama kwomoyo wako; asi Jehovha Mwari wako unodzinga ndudzi idzi pamberi pako nokuda kwokuipa kwavo, uye kuti asimbise shoko rakapikirwa madzibaba ako naJehovha, kuna Abhurahamu, nokuna Isaka, nokuna Jakobho.
9:6b.DEU.009.006 Naizvozvo uzive kuti Jehovha Mwari wako haakupi nyika iyi yakanaka ive yako, nokuda kwokururama kwako; nokuti uri rudzi rune mitsipa mikukutu.
9:7b.DEU.009.007 Rangarira, usakanganwa, kuti wakatsamwisa Jehovha Mwari wako sei murenje; kubva pazuva rawakabuda naro panyika yeIjipiti kudzimana masvika kunzvimbo iyi, makaramba muchimukira Jehovha.
9:8b.DEU.009.008 NapaHorebhu makatsamwisa Jehovha, Jehovha akakutsamwirai, akada kukuparadzai.
9:9b.DEU.009.009 Nguva yandakakwira pagomo kundogamuchira mahwendefa amabwe, iwo mahwendefa esungano, yaakaita iye Jehovha nemi, ndakagara mugomo mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana; ndakanga ndisingadyi zvokudya, kana kunwa mvura.
9:10b.DEU.009.010 Zvino Jehovha akandipa mahwendefa maviri amabwe, akanga akanyorwa nomunwe waMwari; pamusoro pawo pakanga pakanyorwa mashoko ose akanga ataurwa kwamuri naJehovha pagomo, ari mukati momoto nomusi weungano.
9:11b.DEU.009.011 Zvino mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana zvakati zvapera, Jehovha akandipa mahwendefa maviri amabwe, iwo mahwendefa esungano.
9:12b.DEU.009.012 Zvino Jehovha akati kwandiri, Simuka, kurumidza kuburuka pano, nokuti vanhu vako vawakabudisa paIjipiti, vazvitadzira; vakurumidza kutsauka panzira yandakavaraira; vazviitira mufananidzo wakaumbwa.
9:13b.DEU.009.013 Uye Jehovha akataura neni, akati, Ndaona rudzi urwu, tarira, rudzi rune mitsipa mikukutu;
9:14b.DEU.009.014 ndirege, ndivaparadze, ndidzime zita ravo pasi pedenga, ndikuite iwe rudzi runovapfuura nesimba noukuru.
9:15b.DEU.009.015 Naizvozvo ndakadzoka, ndikaburuka pagomo, gomo rikapfuta nomoto; zvino mahwendefa maviri esungano akanga ari mumaoko angu maviri.
9:16b.DEU.009.016 Ndikatarira, ndikaona kuti makanga matadzira Jehovha Mwari wenyu; makanga mazviitira mhuru yakaumbwa; makanga makurumidza kutsauka panzira yamakanga marairwa naJehovha.
9:17b.DEU.009.017 Ndikabata mahwendefa maviri, ndikaarashira pasi muchizviona.
9:18b.DEU.009.018 Ndikawira pasi pamberi paJehovha, sapakutanga, mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana; ndakanga ndisingadyi zvokudya, kana kunwa mvura, nokuda kwezvivi zvenyu zvose zvamakanga matadza, muchiita zvakaipa pamberi paJehovha, muchimutsamwisa.
9:19b.DEU.009.019 Nokuti ndakatya hasha nokutsamwa kukuru, kwamakatsamwirwa nako naJehovha, nokuti wakanga achida kukuparadzai. Asi Jehovha wakandinzwawo nenguva iyo.
9:20b.DEU.009.020 Jehovha wakanga ane shunguvo kwazvo naAroni, akada kumuparadza, ndikanyengeterera Aroniwo nenguva iyo.
9:21b.DEU.009.021 Ndikatora zvivi zvenyu, iyo mhuru iya yamakanga maumba, ndikaipisa nomoto, ndikaipwanya, nokuikuya kwazvo, kusvikira yatsetseka seguruva; ndikakandira guruva rayo murukova rwakanga ruchibva mugomo.
9:22b.DEU.009.022 NapaTabherawo, napaMasa, napaKibhiroti-hatava makatsamwisa Jehovha.
9:23b.DEU.009.023 Nenguva yamakatumwa naJehovha kuti mubve paKadheshi-bharinea, achiti, Kwirai, mutore nyika, yandakakupai, ive yenyu, makamukira murayiro waJehovha Mwari wenyu, mukasamutenda, nokusateerera inzwi rake.
9:24b.DEU.009.024 Makaramba muchimukira Jehovha kubva pazuva randakatanga kukuzivai.
9:25b.DEU.009.025 Zvino ndikawira pasi pamberi paJehovha mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana, ndiyo nguva yandakawira pasi; nokuti Jehovha wakati, Ndichakuparadzai.
9:26b.DEU.009.026 Zvino ndikanyengetera kuna Jehovha, ndikati, Haiwa, Jehovha Mwari, musaparadza henyu vanhu venyu nenhaka yenyu, vamakadzikunura noukuru hwenyu, vamakabudisa paIjipiti neruoko rune simba.
9:27b.DEU.009.027 Rangarirai varanda venyu, Abhurahamu, naIsaka, naJakobho; musatarira kusindimara kwavanhu ava, kana kuipa kwavo, kana zvivi zvavo;
9:28b.DEU.009.028 kuti nyika kwamakatibudisa, irege kuzoti, Jehovha wakavabudisa akavaurayira murenje, nokuti wakanga asingagoni kuvapinza munyika yaakanga avapikira, uye nokuti wakanga achivavenga.
9:29b.DEU.009.029 Kunyange zvakadaro rudzi rwenyu nenhaka yenyu, rwamakabudisa nesimba renyu guru, noruoko rwenyu rwakatambanudzwa.
10
10:1b.DEU.010.001 Nenguva iyo Jehovha akati kwandiri, Uzvivezere mahwendefa maviri amabwe, akafanana nookutanga, ukwire kwandiri kugomo, ugozviitira areka yamatanda.
10:2b.DEU.010.002 Ini ndichanyora pamahwandefa mashoko aya akanga ari pamahwendefa okutanga, awakaputsa, ugoaisa muareka.
10:3b.DEU.010.003 Naizvozvo ndikaita areka yamatanda omuakasia, ndikaveza mahwendefa maviri amabwe, akanga akaita sookutanga, ndikakwira mugomo ndakabata mahwendefa maviri muruoko rwangu.
10:4b.DEU.010.004 Akanyora pamahwendefa zvakafanana norunyoro rwokutanga, aya mashoko ane gumi, amakaudzwa naJehovha pagomo, ari pakati pomoto, nezuva reungano; Jehovha akandipa iwo.
10:5b.DEU.010.005 Zvino ndikadzoka, ndikaburuka pagomo, ndikaisa mahwendefa muareka yandakanga ndaita; ndipo paachiri zvino, sezvandakarairwa naJehovha.
10:6b.DEU.010.006 Vana vaIsiraeri vakasimuka paBheeroti Bhenejaakani, vakaenda Mosera; ndipo pakafira Aroni, napaakavigwa; Ereazari, mwanakomana wake, akabata upirisiti panzvimbo yake.
10:7b.DEU.010.007 Vakasimukapo, vakaenda Gudhogodha; vakasimuka paGudhogodha vakasvika Jotibhata, panyika yakanga ine hova dzemvura.
10:8b.DEU.010.008 Nguva iyo Jehovha akatsaura rudzi rwavaRevhi, kuti vatakure areka yesungano yaJehovha, nokumira pamberi paJehovha vachimushumira, nokuropafadza vanhu nezita rake, kusvikira nhasi.
10:9b.DEU.010.009 Naizvozvo vaRevhi havano mugove kana nhaka pakati pehama dzavo; Jehovha ndiye nhaka yavo, sezvavakaudzwa naJehovha Mwari wenyu.)
10:10b.DEU.010.010 Ini ndikagara mugomo mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana, sapakutanga; Jehovha akandinzwa nenguva iyowo; Jehovha akasakuparadza.
10:11b.DEU.010.011 Jehovha akati kwandiri, Simuka, utungamirire vanhu, vapinde, vatore nyika, yandakapikira madzibaba avo , kuti ndichavapa iyo.
10:12b.DEU.010.012 Zvino, Isiraeri, Jehovha Mwari wako unotsvakeiko kwauri, asi kuti utye Jehovha Mwari wako, ufambe munzira dzake dzose, nokumuda, nomoyo wako wose uye nomweya wako wose,
10:13b.DEU.010.013 nokuchengeta mirairo yaJehovha, nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi kuti ufare zvakanaka.
10:14b.DEU.010.014 Tarira, denga nedenga ramatenga, nenyika nezvose zviri mukati mayo, ndezvaJehovha Mwari wako.
10:15b.DEU.010.015 Asi Jehovha wakafarira madzibaba ako, akavada, akatsaura vana vavo vanovatevera, iyemi, kupfuura ndudzi dzose, sezvaunoona nhasi.
10:16b.DEU.010.016 Naizvozvo dzingisai moyo yenyu, murege kuva nemitsipa mikukutu.
10:17b.DEU.010.017 Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari wavamwari, naShe wamadzishe, Mwari mukuru, unotyisa, usingatsauri vanhu, kana kugamuchira mubayiro.
10:18b.DEU.010.018 Iye unoruramisira nherera nechirikadzi, unoda mutorwa, achimupa zvokudya nenguvo.
10:19b.DEU.010.019 Naizvozvo munofanira kuda mutorwa, nokuti imwi makanga muri vatorwa panyika yeIjipiti.
10:20b.DEU.010.020 Unofanira kutya Jehovha Mwari wako; unofanira kumushumira iye, nokumunamatira, nokupika nezita rake.
10:21b.DEU.010.021 Ndiye waunofanira kurumbidza, ndiye Mwari wako, wakakuitira zvinhu izvi zvikuru zvinotyisa, zvawakaona nameso ako.
10:22b.DEU.010.022 Madzibaba ako akaburukira Ijipiti vari vanhu vana makumi manomwe; zvino Jehovha Mwari wako wakakuwanza senyeredzi dzokudenga.
11
11:1b.DEU.011.001 Naizvozvo unofanira kuda Jehovha Mwari wako, nokuchengeta nguva dzose murayiro wake, nezvaakatema, nezvaakatonga, nezvaakaraira.
11:2b.DEU.011.002 Zivai nhasi nokuti handitauri navana venyu vasina kuziva, vasina kuona kuranga kwaJehovha Mwari wenyu ukuru hwake, neruoko rwake rune simba, noruoko rwake rwakatambanudzwa,
11:3b.DEU.011.003 nezviratidzo zvake, namabasa ake, aakaitira Farao, mambo pakati peIjipiti nenyika yake yose;
11:4b.DEU.011.004 nezvaakaitira hondo yeIjipiti, namabhiza avo, nengoro dzavo; kuti wakavafukidza nemvura yeGungwa Dzvuku, nguva yavakakutevererai, Jehovha akavaparadza kusvikira nhasi;
11:5b.DEU.011.005 nezvaakakuitirai murenje, kudzimana makasvika panzvimbo ino;
11:6b.DEU.011.006 nezvaakaitira Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu, mwanakomana waRubheni; namashamisire akaita nyika muromo wayo, ikavamedza, ivo navedzimba dzavo, namatende avo, nezvipenyu zvavo zvose zvakanga zvichivatevera, pakati pavalsiraeri vose.
11:7b.DEU.011.007 Asi meso enyu akaona mabasa ose makuru aJehovha aakaita.
11:8b.DEU.011.008 Naizvozvo munofanira kuchengeta murayiro wose wandinokuraira nhasi, kuti musimbe, mupinde, mutore nyika iyo kwamunoyambuka kundoiita yenyu;
11:9b.DEU.011.009 kuti mazuva enyu awedzerwe panyika, yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha, kuti uchaipa ivo navana vavo, nyika inoyerera mukaka nouchi.
11:10b.DEU.011.010 Nokuti nyika kwaunoenda kundoiita yako, haina kufanana nenyika yeIjipiti, kwamakabuda, kwawaidzvara mbeu dzako, uchidzidiridza namakumbo ako, somunda wemiriwo,
11:11b.DEU.011.011 asi nyika kwamunoyambuka, kundoiita yenyu, inyika yamakomo nemipata, inonwa mvura yokudenga;
11:12b.DEU.011.012 inyika inochengetwa naJehovha Mwari wako; meso aJehovha Mwari wako anoramba achiitarira, kubva pakutanga kwegore kusvikira pakupedzisira kwegore.
11:13b.DEU.011.013 Zvino kana mukateerera zvakanaka mirairo yangu, yandinokurairai nhasi, mukada Jehovha Mwari wenyu nokumushumira nomoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose,
11:14b.DEU.011.014 ndichapa nyika yenyu mvura panguva yayo, mvura yokutanga nemvura yokuteverera, kuti ugone kukohwa zviyo zvako, newaini yako, namafuta ako.
11:15b.DEU.011.015 Ndichameresa uswa hwemombe dzako pamafuro ako, udye, ugute.
11:16b.DEU.011.016 Chenjerai kuti moyo yenyu irege kunyengerwa, murege kutsauka, mukashumira vamwe vamwari, nokunamata kwavari;
11:17b.DEU.011.017 kuti Jehovha arege kukutsamwirai, akapfiga kudenga, kuti mvura irege kunaya nenyika irege kubereka zvibereko zvayo; imwi mukakurumidza kuparadzwa panyika yakanaka yamunopiwa naJehovha.
11:18b.DEU.011.018 Naizvozvo munofanira kuchengeta mashoko angu awa mumoyo yenyu nomumweya yenyu; munofanira kuasungira pamaoko enyu, chive chiratidzo, uye anofanira kuva rundanyara pakati pameso enyu.
11:19b.DEU.011.019 Uye munofanira kuadzidzisa vana venyu, muchitaurirana pamusoro pawo, kana iwe ugere paimba yako, kana uchifamba panzira, kana uchivata pasi, uye kana uchimuka;
11:20b.DEU.011.020 unofanira kuanyora pamagwatidziro emikova yeimba yako, napamasuo ako;
11:21b.DEU.011.021 kuti mazuva enyu awedzerwe, namazuva avana venyu, panyika yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha kuti uchavapa iyo, aite samazuva okudenga pamusoro penyika.
11:22b.DEU.011.022 Nokuti kana mukachengeta zvakanaka murayiro uyu wose wandinokurairai, kuti muuite; mukada Jehovha Mwari wenyu, nokufamba nenzira dzake dzose, nokumunamatira;
11:23b.DEU.011.023 Jehovha uchadzinga ndudzi idzi dzose pamberi penyu, imwi muchabata ndudzi dzinokupfuurai noukuru nesimba, dzive dzenyu.
11:24b.DEU.011.024 Nzvimbo ipi neipi inotsikwa netsoka dzenyu ichava yenyu, nenyika yenyu ichabva parenje, neRebhanoni, kubva parwizi, rwizi Yufuratesi, kusvikira kugungwa rokumavirazuva.
11:25b.DEU.011.025 Hakuna munhu ungagona kumira pamberi penyu; Jehovha Mwari wenyu uchatyisa nokuvhundusa nyika yose pamusoro penyu, nyika iyo yamuchazotsika pamusoro payo, sezvaakataura kwamuri.
11:26b.DEU.011.026 Tarirai, nhasi ndinoisa pamberi penyu kuropafadzwa nokutukwa;
11:27b.DEU.011.027 kuropafadzwa, kana mukateerera mirairo yaJehovha Mwari wenyu, yandinokurairai nhasi;
11:28b.DEU.011.028 nokutukwa, kana musingateereri mirairo yaJehovha Mwari wenyu, asi muchitsauka panzira yandinokuraira nhasi, mukatevera vamwe vamwari vamusina kuziva.
11:29b.DEU.011.029 Zvino kana Jehovha Mwari wako akupinza panyika, kwamunoenda, kundoiita yako, unofanira kuisa kuropafadzwa pagomo reGerizimi, nokutukwa pagomo reEbhari.
11:30b.DEU.011.030 Ko makomo awo haazi mhiri kwaJorodhani, mberi kwenzira yokumavirira ezuva, munyika yavaKenani, vagere paMupata, pakatarisana neGirigari, pamiouki yeMore here?
11:31b.DEU.011.031 Nokuti munofanira kuyambuka Jorodhani, mupinde kundotora nyika yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu; ichava yenyu, mugaremo.
11:32b.DEU.011.032 Chenjerai kuti muite zvakatemwa nezvakatongwa zvose, zvandinoisa pamberi penyu nhasi.
12
12:1b.DEU.012.001 Ndizvo zvakatemwa, nezvakatongwa, zvamunofanira kuchenjera kuti muzviite panyika yawakapiwa naJehovha Mwari wamadzibaba ako, kuti ive yako, mazuva ose amunogara panyika.
12:2b.DEU.012.002 Munofanira kuparadza chose nzvimbo dzose, apo, ndudzi dzose dzamunopiwa kuti dzive dzenyu, padzaishumira vamwari vadzo, pamakomo marefu, napazvikomo, napasi pemiti mitema yose;
12:3b.DEU.012.003 munofanira kuputsa aritari dzavo, nokuputsanya shongwe dzavo, nokupisa matanda avo okunamata nawo; mutemewo mifananidzo yavo yakavezwa; kuti muparadze zita razvo panzvimbo iyo.
12:4b.DEU.012.004 Regai kuitira Jehovha Mwari wenyu saizvozvo.
12:5b.DEU.012.005 Asi munofanira kushanyira panzvimbo yakatsaurwa naJehovha Mwari wenyu pakati pamarudzi enyu ose, kuti aise zita rakepo, paanogara, ndipo pamunofanira kushanyirapo, nokuendapo,
12:6b.DEU.012.006 munofanira kuuyapo nezvipiriso zvenyu zvinopiswa, nezvibayiro zvenyu, nezvegumi zvenyu, nezvipiriso zvakatsaurwa namaoko enyu, nezvipikiso zvenyu, nezvipo zvokuda kwenyu, navana vemhongora dzemombe dzenyu nedzamakwai enyu;
12:7b.DEU.012.007 ndipo pamunofanira kudya pamberi paJehovha Mwari wenyu, muchifarira zvose zvamunobata namaoko enyu, imwi, nemhuri dzenyu, sezvamakaropafadzwa naJehovha Mwari wenyu.
12:8b.DEU.012.008 Hamufaniri kuita sezvatinoita pano nhasi, mumwe nomumwe sezvaanoona kuti ndizvo zvakanaka;
12:9b.DEU.012.009 nokuti muchigere kusvika pazororo napanhaka, yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
12:10b.DEU.012.010 Asi kana mayambuka Jorodhani, mogara munyika yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu, ive nhaka yenyu, kana iye achikupai zororo pavavengi venyu vose vanokukombai, mogara makachengetwa,
12:11b.DEU.012.011 Zvino kunzvimbo yakatsaurwa naJehovha, kuti aise zita rakepo, ndiko kwamunofanira kuuya nezvose zvandinokurairai, zvinoti: zvipiriso zvenyu zvinopiswa, nezvibayiro zvenyu, nezvegumi zvenyu, nezvipiriso zvakatsaurwa namaoko enyu, nezvipikiso zvenyu zvakaisvonaka zvamunopikira Jehovha;
12:12b.DEU.012.012 mufare pamberi paJehovha Mwari wenyu, imwi navanakomana venyu, navanasikana venyu, navaranda venyu, navarandakadzi venyu, nomuRevhi uri mukati mamasuo enyu, nokuti iye haana mugove kana nhaka pakati penyu.
12:13b.DEU.012.013 Chenjera kuti urege kuuya nezvipiriso zvako zvinopiswa panzvimbo ipi neipi yaunoona,
12:14b.DEU.012.014 asi panzvimbo ichatsaurwa naJehovha pano rumwe rwamarudzi ako, ndipo paunofanira kuuya nezvipo zvako zvinopiswa, ndipo paunofanira kuita zvose zvandinokuraira.
12:15b.DEU.012.015 Asi ungabaya hako nokudya hako nyama mukati mamasuo ako ose, sezvinoda moyo wako, uye sezvawakaropafadzwa naJehovha Mwari wako; usina kunaka nowakanaka vose vangaidya, sezvinoitwa nenyama yemhara nenondo.
12:16b.DEU.012.016 Asi hamufaniri kudya ropa; unofanira kuriteurira pasi semvura.
12:17b.DEU.012.017 Usadya mukati mamasuo ako zvegumi zvezviyo zvako, kana zvewaini yako, kana zvamafuta ako, kana vana vemhongora dzemombe dzako, kana dzamakwai ako, kana chipikiso chipi nechipi chaunopika nacho, kana zvipo zvokuda kwako, kana chipiriso chinotsaurwa noruoko rwako;
12:18b.DEU.012.018 asi unofanira kuzvidya pamberi paJehovha Mwari wako panzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako, iwe, navanakomana vako navanasikana vako, navaranda vako navarandakadzi vako, nomuRevhi uri mukati mamasuo ako; unofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wako pazvose zvaunobata namaoko ako.
12:19b.DEU.012.019 Chenjera kuti urege kukanganwa muRevhi nguva yose yaunogara munyika yako.
12:20b.DEU.012.020 Zvino kana Jehovha Mwari wako akurisa nyika yako, sezvaakakupikira, iwe ukati, Ndichadya nyama, nokuti moyo wako unoda kudya nyama, ungadya hako nyama, sezvinoda moyo wako.
12:21b.DEU.012.021 Kana nzvimbo yakatsaurwa naJehovha, kuti aise zita rakepo, iri kure newe, unofanira kubaya zvimwe zvemombe dzako, kana zvamakwai ako, zvawakapiwa naJehovha, sezvandakakuraira, ugozvidya mukati mamasuo ako, sezvinoda moyo wako.
12:22b.DEU.012.022 Unofanira kuzvidya sezvinodyiwa nyama yemhara neyenondo; usina kunaka nowakanaka vose vanofanira kuzvidya pamwechete.
12:23b.DEU.012.023 Asi chenjera kwazvo kuti urege kudya ropa, nokuti ropa ndihwo upenyu; usadya upenyu pamwechete nenyama.
12:24b.DEU.012.024 Usaridya, asi unofanira kuriteurira pasi semvura.
12:25b.DEU.012.025 Usaridya, kuti zvive zvakanaka newe, iwe, navana vako vanokutevera, kana uchiita zvakarurama pamberi paJehovha.
12:26b.DEU.012.026 Asi zvinhu zvako zvitsvene, nezvipikiso zvako, unofanira kuzvitora nokuenda nazvo kunzvimbo yakatsaurwa naJehovha.
12:27b.DEU.012.027 Zvino unofanira kugadzira zvipiriso zvako zvinopiswa, nyama neropa, paaritari yaJehovha Mwari wako; ropa rezvibayiro zvako rinofanira kuteurirwa paaritari yaJehovha Mwari wako, asi iwe unofanira kudya nyama.
12:28b.DEU.012.028 teerera unzwe zvakanaka mashoko awa andinokuraira, kuti zvive zvakanaka newe, iwe,navana vako vanokutevera nokusingaperi, kana uchiita zvakanaka nezvakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.
12:29b.DEU.012.029 Zvino kana Jehovha Mwari wako achiparadza pamberi pako ndudzi idzo, dzaunoenda kwadziri kundodziita dzako, ukadziita dzako, ukagara munyika yadzo;
12:30b.DEU.012.030 uchenjere kuti urege kunyengerwa kuzodzitevera, idzo dzamboparadzwa pamberi pako; kuti urege kubvunza vamwari vavo, uchiti, Ndudzi idzi dzinoshumira vamwari vadzo seiko? Neni ndichaitawo saizvozvo.
12:31b.DEU.012.031 Usaitira Jehovha Mwari wako saizvozvo; nokuti ivo vakaitira vamwari vavo zvose zvinonyangadza Jehovha, nezvaanovenga; nokuti kunyange vanakomana vavo navanasikana vavo vanovapisira vamwari vavo pamoto.
12:32b.DEU.012.032 Chinhu chipi nechipi chandinokurairai, chenjerai kuti muzviite; musawedzera kwazviri, kana kutapudza kwazviri.
13
13:1b.DEU.013.001 Zvino kana muporofita kana muroti akamuka pakati pako, akakuratidza chiratidzo kana chinoshamisa,
13:2b.DEU.013.002 icho chiratidzo kana chinoshamisa chikaitika, chaakataura kwauri, achiti, Ngatitevere vamwe vamwari, vawakanga usingazivi, tivashumire;
13:3b.DEU.013.003 usateerera mashoko omuporofita uyo kana muroti uyo, nokuti Jehovha Mwari wenyu unokuidzai, kuti azive kana muchida Jehovha Mwari wenyu nomoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose.
13:4b.DEU.013.004 Munofanira kutevera Jehovha Mwari wenyu nokumutya, nokuchengeta mirairo yake, nokuteerera inzwi rake, nokumushumira, nokumunamatira.
13:5b.DEU.013.005 Asi muporofita uyo kana muroti uyo vanofanira kuurawa; nokuti wakataura mashoko anomukira Jehovha Mwari wenyu, iye wakakubudisai panyika yeIjipiti, nokukudzikunurai muimba youranda, akakutsausa panzira yawakarairwa naJehovha Mwari wako, kuti ufambemo. Naizvozvo unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.
13:6b.DEU.013.006 Kana munununa wako, kana mwanakomana wamai vako, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana mukadzi unodikanwa newe, kana shamwari yako yaunoda kwazvo, vakakutsausa pakavanda, vachiti, Hendei tindoshumira vamwe vamwari, vawakanga usingazivi, iwe, kana madzibaba ako;
13:7b.DEU.013.007 vari vamwari vendudzi dzakakupoteredzai, dziri pedo newe, kana kure newe, kubva pano rumwe rutivi rwenyika kusvikira kuno rumwe rutivi rwenyika;
13:8b.DEU.013.008 haufaniri kumutenda, kana kumuteerera; ziso rako rirege kumunzwira tsitsi, kana kumurega, kana kumuvanza;
13:9b.DEU.013.009 asi unofanira kumuuraya zvirokwazvo; ruoko rwako ngarutange kumuuraya, pashure maoko avamwe vanhu vose.
13:10b.DEU.013.010 Unofanira kumutaka namabwe, afe, nokuti wakatsvaka kukutsausa ubve kuna Jehovha Mwari wako, iye wakakubudisa panyika yeIjipiti paimba youranda.
13:11b.DEU.013.011 Valsiraeri vose vazvinzwe, vatye, varege kuzoita zvakaipa zvakadai pakati pako.
13:12b.DEU.013.012 Kana ukanzwa vachikuudza mune rimwe ramaguta ako aunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ugaremo, vachiti,
13:13b.DEU.013.013 Vana nyakuti vakaisvoipa varipo, vakabuda pakati pako, vakatsausa vagere muguta ravo, vachiti, Hendei tindoshumira vamwe vamwari, vamakanga musingazivi;
13:14b.DEU.013.014 zvino unofanira kuferefeta, nokutsvakisisa, nokubvunzisisa kwazvo; zvino kana ukaona kuti ndezvamazvokwadi, kuti ndizvo, kuti chinhu chinonyangadza chakadai chakaitwa pakati pako;
13:15b.DEU.013.015 zvirokwazvo unofanira kuparadza vanhu vagere muguta iro nomunondo unopinza, nokuriparadza chose, iro nezvose zviri mukati maro, nezvipfuwo zvaro, nomunondo unopinza.
13:16b.DEU.013.016 Zvakapambwa zvose unofanira kuzviunganidzira pakati penzira huru yaro, nokupisira Jehovha Mwari wako guta nezvakapambwa zvaro zvose-zvose; zvinofanira kuva murwi nokusingaperi; harifaniri kuvakwazve.
13:17b.DEU.013.017 Chinhu chimwe chezvakayeriswa ngachirege kunamatira pamaoko ako, kuti Jehovha azvidzore pakutsamwa kwake kukuru, akunzwire nyasha, ave netsitsi newe, akuwanze, sezvaakapikira madzibaba ako;
13:18b.DEU.013.018 kana ukateerera inzwi raJehovha Mwari wako, ukachengeta mirairo yake yose, yandinokuraira nhasi, uchiita zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.
14
14:1b.DEU.014.001 imwi muri vana vaJehovha Mwari wenyu; musazvitema,kana kuzviveura pakati pameso pamusoro pavakafa.
14:2b.DEU.014.002 Nokuti uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako; Jehovha wakakutsaura pakati pendudzi dzose dzavanhu vari panyika, kuti uve rudzi rwake chairwo.
14:3b.DEU.014.003 Usadya chinhu chipi nechipi chinonyangadza.
14:4b.DEU.014.004 Mhuka dzamungadya ndidzo: Mombe, negwai, nembudzi;
14:5b.DEU.014.005 nenondo, nemhara, nemhembwe, netsoma, nemharapara, nenyati, nengururu.
14:6b.DEU.014.006 Mhuka ipi neipi ina mahwanda akaparadzana, ine tsoka dzakaparadzana, inodzeya, ndidzo dzamungadya henyu.
14:7b.DEU.014.007 Asi idzi dzinodzeya, kana dzina mahwanda akaparadzana, regai kudzidya: Kamera, netsuro, nembira; nokuti dzinodzeya, asi hadzina mahwanda akaparadzana, hadzina kunaka kwamuri;
14:8b.DEU.014.008 nenguruve; nokuti ina mahwanda akaparadzana, asi haidzeyi; haina kunaka kwamuri; musadya nyama yadzo, uye musabata zvitunha zvadzo.
14:9b.DEU.014.009 Ndizvo zvamungadya kune zvose zviri mumvura: Zvose zvine zvimbi namakwande mungazvidya;
14:10b.DEU.014.010 asi zvose zvisina zvimbi namakwande, musazvidya izvo, hazvina kunaka kwamuri.
14:11b.DEU.014.011 Mungadya shiri dzose dzakanaka.
14:12b.DEU.014.012 Asi dzamusingafaniri kudya ndidzo: Gora guru, negondo guru, nenyamudzura;
14:13b.DEU.014.013 norukodzi, nenjerere, noruvangu namarudzi arwo;
14:14b.DEU.014.014 namarudzi ose amakunguvo;
14:15b.DEU.014.015 nemhou, nezizi, neshiri yegungwa, namarudzi ose oruvangu;
14:16b.DEU.014.016 nezizi duku, nezizi guru, nejichidza,
14:17b.DEU.014.017 nehukurwizi, negora, nekanyurura-hove;
14:18b.DEU.014.018 nezimudo, nekondo, namarudzi ayo, nemhupupu, nechiremwaremwa.
14:19b.DEU.014.019 Zvose zvina mapapiro zvinokambaira zvinofanira kuva zvisina kunaka kwamuri; hazvifaniri kudyiwa.
14:20b.DEU.014.020 Asi shiri dzose dzakanaka mungadzidya henyu.
14:21b.DEU.014.021 Musadya chinhu chakanora choga; ungachipa mweni uri mukati mamasuo ako, iye achidye, kana ungachitengesa kumutorwa; nokuti iwe uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo. Zvegumi
14:22b.DEU.014.022 Utsaure zvakanaka zvegumi zvezvibereko zvose zvembeu dzako, dzinobva mumunda mako gore rimwe nerimwe.
14:23b.DEU.014.023 Unofanira kudya pamberi paJehovha Mwari wako, panzvimbo yaachatsaura kugarisa zita rakepo, zvegumi zvezviyo zvako, nezvewaini yako, nezvamafuta ako, nezvavana vemhongora dzemombe dzako nedzamakwai ako, kuti udzidze kutya Jehovha Mwari wako nguva dzose.
14:24b.DEU.014.024 Kana nzira iri kuresa, ukasagona kuzvisvitsako, nokuti nzvimbo iyo yawakatsaurirwa naJehovha Mwari wako, kuti aise zita rakepo, iri kure newe, kana Jehovha Mwari wako akakuropafadza,
14:25b.DEU.014.025 unofanira kuzvitengesa nemari, ndokubata mari mumaoko ako, ugoenda kunzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako,
14:26b.DEU.014.026 ndokutenga nemari iyo zvose zvinodikanwa nomoyo wako, kana mombe, kana makwai, kana waini, kana zvinobata, kana zvose zvinoreva moyo wako kwauri, udyirepo pamberi paJehovha Mwari wako, ufare, iwe nemhuri yako.
14:27b.DEU.014.027 Uye muRevhi uri mukati mamasuo ako, usamukanganwa, nokuti haana mugove kana nhaka newe.
14:28b.DEU.014.028 Nguva dzose kana makore matatu apera, unofanira kuuya nezvegumi zvose zvezvibereko zvako zvegore iro, ugozvichengeta mukati mamasuo ako.
14:29b.DEU.014.029 Zvino muRevhi, zvaasina mugove kana nhaka newe, nomweni, nenherera, nechirikadzi, vari mumasuo ako, vanofanira kuuya kuzodya, vagute; kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pamabasa ose aunoita namaoko ako.
15
15:1b.DEU.015.001 Nguva dzose kana makore manomwe apera munofanira kuva nesununguro.
15:2b.DEU.015.002 Nzira yesununguro ndiyo: Mumwe nomumwe wakapa chikwerete, unofanira kusunungura icho chaakapa hama yake; ngaarege kuchireva kuno wokwake kana hama yake; nokuti sununguro yaJehovha yaparidzwa.
15:3b.DEU.015.003 Ungazvireva kumutorwa; asi zvose zvako zviri paruoko rwehama yako, unofanira kuzvisunungura.
15:4b.DEU.015.004 Asi usava navarombo pakati pako (nokuti zvirokwazvo, Jehovha uchakuropafadza panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive nhaka yako),
15:5b.DEU.015.005 kana uchingoshingaira kwoga kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako, kuti uchenjere kuita murayiro uyu wose, wandinokuraira nhasi.
15:6b.DEU.015.006 Nokuti Jehovha Mwari wako uchakuropafadza, sezvaakakupikira; iwe uchapa dzimwe ndudzi zhinji chikwerete, asi iwe usatora chikwerete; iwe uchabata ndudzi zhinji, asi idzo hadzingakubati iwe.Varombo navaranda
15:7b.DEU.015.007 Kana kuno murombo kwauri, mumwe wehama dzako, mukati mamasuo api naapi panyika yako, yaunopiwa naJehovha Mwari wako, usatsungira hama yako murombo, kana kumupfumbatirira ruoko rwako;
15:8b.DEU.015.008 asi umutambanudzire ruoko rwako kwazvo, umubatsire nechikwerete zvinoringana pakushaiwa kwake, sezvaanokumbira.
15:9b.DEU.015.009 Chenjera kuti urege kufunga zvakaipa mumoyo mako, uchiti, Gore rechinomwe, iro gore resununguro, riri pedo, iwe ukava nomufungo wakaipa kuhama yako, ukasamupa chinhu; iye akachema kuna Jehovha Mwari wako pamusoro pako, chikava chivi kwauri.
15:10b.DEU.015.010 Unofanira kumupa zvakanaka, moyo wako haufaniri kuva neshungu, kana uchimupa; nokuti nokuda kwechinhu ichi Jehovha Mwari wako uchakuropafadza pamabasa ako ose, napazvose zvaunobata namaoko ako.
15:11b.DEU.015.011 Nokuti varombo havangatongoperi panyika; naizvozvo ndinokuraira ndichiti, Utambanudzire ruoko rwako zvakanaka kuhama yako, kuna iye unoshaiwa, nokuna varombo vako panyika yako.
15:12b.DEU.015.012 Kana hama yako murume muHebheru kana mukadzi muHebheru achinge atengeswa kwauri, akakubatira makore matanhatu, iwe unofnaira kumurega negore rechinomwe aende hake.
15:13b.DEU.015.013 Zvino kana uchimurega kuti aende hake, usamuendisa asine chinhu.
15:14b.DEU.015.014 Unofanira kumugoverera zvakanaka pamakwai ako, napaburiro rako, napachisviniro chako chewaini; sezvawakaropafadzwa naJehovha Mwari wako, unofanira kumupa saizvozvo.
15:15b.DEU.015.015 Unofanira kurangarira iwe kuti wakanga uri muranda munyika Jehovha Mwari wako akakudzikunura; naizvozvo ndinokuraira chinhu ichi nhasi.
15:16b.DEU.015.016 Asi kana akati kwauri, Handidi hangu kubva kwamuri, nokuti unokuda iwe naveimba yako, nokuti unofara hake newe,
15:17b.DEU.015.017 ipapo unofanira kutora runji ndokuurura nzeve yake narwo pamukova, iye agova muranda wako nokusingaperi:. Uye murandakadzi wako unofanira kumuitirawo saizvozvo.
15:18b.DEU.015.018 Hazvifaniri kuita sokukusvibisa moyo wako kana muchimurega kuti aende hake; nokuti wakakubatira makore matanhatu, achifanirwa nomubayiro wavaranda vaviri; Jehovha Mwari wako uchakuropafadza pane zvose zvaunoita. Vana vemhongora dzezvipfuwo
15:19b.DEU.015.019 Mikono yose yavana vemhongora dzemombe dzako nedzamakwai ako, unofanira kutsaurira Jehovha Mwari wako; haufaniri kubata basa nomwana wemhongora dzemombe dzako, kana kuveura vana vemhongora dzamakwai ako.
15:20b.DEU.015.020 Unofanira kuzvidya pamberi paJehovha Mwari wako gore rimwe nerimwe panzvimbo ichatsaurwa naJehovha, iwe nemhuri yako.
15:21b.DEU.015.021 Kana chakaremara, zvimwe chinokuremara kwokukamhina, kana upofu, kana kuremara kwakaipa kupi nokupi, haufaniri kuchibayira Jehovha Mwari wako.
15:22b.DEU.015.022 Unofanira kuchidya mukati mamasuo ako; wakanaka nousina kunaka vose vanofanira kuchidya, sezvavanodya mhara nenondo.
15:23b.DEU.015.023 Asi urege kudya ropa racho, unofanira kuriteurira pasi semvura.
16
16:1b.DEU.016.001 Rangarira mwedzi weAbhibhi, udye Pasika yaJehovha Mwari wako nawo; nokuti nomwedzi weAbhibhi Jehovha Mwari wako wakakubudisa panyika yeIjipiti usiku.
16:2b.DEU.016.002 Unofanira kubayira Jehovha Mwari wako Pasika yamakwai nemombe panzvimbo inotsaurwa naJehovha Mwari wako, kuti agarise zita rakepo.
16:3b.DEU.016.003 Usadya chingwa chakaviriswa pamwechete nayo; unofanira kuita mazuva manomwe uchidya chingwa chisina kuviriswa pamwechete nayo, ndicho chingwa chokutambudzika; nokuti wakabuda panyika yeIjipiti nokukurumidza; kuti urangarire zuva rawakabuda naro panyika yeIjipiti mazuva ose oupenyu hwako.
16:4b.DEU.016.004 Mazuva manomwe mbiriso haifaniri kutongoonekwa panyika yako yose; uye nyama yamunobayira pazuva rokutanga madekwana, haifaniri kutongosara usiku hwose kusvikira mangwana.
16:5b.DEU.016.005 Haufaniri kubayira Pasika mukati merimwe ramasuo ako, aunopiwa naJehovha Mwari wako;
16:6b.DEU.016.006 asi panzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako, kuti agarise zita rakepo, ndipo paunofanira kubayira Pasika madekwana, kana zuva rovira, panguva yawakabuda nayo Ijipiti.
16:7b.DEU.016.007 Unofanira kuibika, nokuidya panzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako, fume mangwana unofanira kudzokera kumatende ako.
16:8b.DEU.016.008 Unofanira kudya chingwa chisina kuviriswa mazuva matanhatu; pazuva rechinomwe unofanira kuita ungano huru kuna Jehovha Mwari wako; usabata mabasa naro.
16:9b.DEU.016.009 Unofanira kuverenga mavhiki manomwe, kubva panguva yaunotanga kukohwa zviyo zvigere kukohiwa, unofanira kuverenga mavhiki manomwe.
16:10b.DEU.016.010 Zvino uitire Jehovha Mwari wako mutambo wamavhiki, uchiuya muruoko rwako nechipo chokuda kwako, uchipa sezvawakaropafadzwa naJehovha Mwari wako.
16:11b.DEU.016.011 Unofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wako, iwe nomwanakomana wako, nomwanasikana wako, nomuranda wako, nomurandakadzi wako, nomuRevhi uri mukati mamasuo ako, nomweni, nenherera, nechirikadzi, vagere pakati pako, panzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako, kuti agarise zita rakepo.
16:12b.DEU.016.012 Unofanira kurangarira kuti iwe wakanga uri muranda paIjipiti; unofanira kuchengeta nokuita izvi zvakatemwa.
16:13b.DEU.016.013 Unofanira kutamba mutambo wamatumba mazuva manomwe, kana wapedza kuunganidza zvose zvapaburiro rako nechisviniro chako chewaini.
16:14b.DEU.016.014 Unofanira kufara pamutambo wako, iwe, nomwanakomana wako, nomwanasikana wako, nomuranda wako, nomurandakadzi wako, nomuRevhi, nomweni, nenherera, nechirikadzi, vari mukati mamasuo ako.
16:15b.DEU.016.015 Unofanira kutambira Jehovha Mwari wako mutambo mazuva manomwe panzvimbo ichatsaurwa naJehovha; nokuti Jehovha Mwari wako uchakuropafadza pazvibereko zvose zveminda yako, napamabasa ose amaoko ako, kuti ufare kwazvo.
16:16b.DEU.016.016 Varume venyu vose vanofanira kuuya pamberi paJehovha Mwari wako katatu pagore panzvimbo yaachatsaura, pamutambo wechingwa chisina kuviriswa, napamutambo wamavhiki, napamutambo wamatumba; havafaniri kuuya pamberi paJehovha vasina chinhu.
16:17b.DEU.016.017 Mumwe nomumwe ngaauye nechipo mumaoko ake, sezvaanogona, sezvawakaropafadzwa naJehovha Mwari wako, sezvaakakupa. Mabasa avatongi namadzishe
16:18b.DEU.016.018 Unofanira kuzvitsaurira vatongi navakuru mukati mamasuo ako, aunopiwa naJehovha Mwari wako, namarudzi ako; ivo vanofanira kutonga vanhu nokutonga kwakarurama.
16:19b.DEU.016.019 Usakanganisa pakutonga kwako, usatsaura vanhu, usagamuchira fufuro, nokuti fufuro inopofumadza meso avakangwara, nokuminamisa mashoko avakarurama.
16:20b.DEU.016.020 Tevera zvakarurama kwazvo chete, kuti urarame, ugare nhaka yenyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
16:21b.DEU.016.021 Usazvisimira matanda okunamata nawo, emiti ipi neipi, parutivi rwearitari yaJehovha Mwari wako, yaunofanira kuzviitira.
16:22b.DEU.016.022 Uye usazvimisira shongwe, inovengwa naJehovha Mwari wako.
17
17:1b.DEU.017.001 Usabayira Jehovha Mwari wako mombe kana gwai rakaremara, kana rine chakaipa chipi nechipi; nokuti izvo zvinonyangadza Jehovha Mwari wako.
17:2b.DEU.017.002 Kana pakati pako mukati merimwe ramasuo ako, aunopiwa naJehovha Mwari wako, murume kana mukadzi akawanikwa, unoita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wako, achidarika sungano yake,
17:3b.DEU.017.003 akandoshumira vamwe vamwari, akanamata kwavari, kana kuzuva kana kumwedzi, kana kune chimwe chehondo dzokudenga, chandisina kukuraira;
17:4b.DEU.017.004 iwe ukaudzwa izvozvo, ukazvinzwa, ipapo unofanira kubvunzisisa kwazvo; zvino kana ukaona kuti ndizvo, ndezvamazvokwadi, kuti chinhu chinonyangadza chakadai chaitwa pakati paIsiraeri;
17:5b.DEU.017.005 ipapo unofanira kubudisa murume nomukadzi, ugovataka namabwe, vafe.
17:6b.DEU.017.006 Nokupupura kwezvapupu zviviri kana zvitatu iye unofanira kufa, ngaaurawe; nokupupura kwechapupu chimwe ngaarege kuurawa.
17:7b.DEU.017.007 Maoko ezvapupu ndiwo anofanira kutanga kumuuraya; pashure maoko avanhu vose. Saizvozvo unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.
17:8b.DEU.017.008 Kana mhaka ikamuka yamusingagoni kutonga, kana yokuurayana, kana yokukwirirana, kana yokukuvadzana, dziri mhaka dzenharo pakati pamasuo ako; ipapo unofanira kusimuka nokukwira kunzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako;
17:9b.DEU.017.009 uende kuvapirisiti vaRevhi, nokumutongi uchavapo pamazuva iwayo, ubvunze; ivo vachakuzivisa kutonga kwakafanira.
17:10b.DEU.017.010 Zvino unofanira kuita sezvavanokutongera panzvimbo ichatsaurwa naJehovha; uchenjere kuti uite sezvavanokudzidzisa;
17:11b.DEU.017.011 unofanira kuita nomurayiro wavanokuraira, uye nokutonga kwavanokuudza; haufaniri kutsauka kana kurudyi kana kuruboshwe, pakutonga kwavachakuratidza.
17:12b.DEU.017.012 Munhu unoita nokuzvikudza, asingadi kuteerera mupirisiti unomirapo pakushumira Jehovha Mwari wako, kana mutongi, munhu uyo anofanira kufa; iwe unofanira kubvisa zvakaipa pakati paIsiraeri.
17:13b.DEU.017.013 Vanhu vose vachazvinzwa, vachatya, vakasazoita nokuzvikudza.
17:14b.DEU.017.014 Zvino kana ukasvika panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, ikava yako, ukagaramo, ukati, Ndichazvigadzira mambo, sezvinoita ndudzi dzose, dzinondipoteredza;
17:15b.DEU.017.015 zvirokwazvo unofanira kuzvigadzira hako mambo uchatsaurwa naJehovha Mwari wako; unofanira kugadza mumwe kuhama dzako, kuti ave mambo wako; haufaniri kugadza mutorwa, isati iri hama yako.
17:16b.DEU.017.016 Asi ngaarege kuzviwanzira mabhiza, kana kudzosera vanhu Ijipiti, kuti azviwanzire mabhiza; nokuti Jehovha wakati kwauri, Usadzokazve kubva zvino nenzira iyo.
17:17b.DEU.017.017 Uye ngaarege kuzviwanzira vakadzi, kuti moyo wake urege kutsauka; uye ngaarege kuzviwanzira zvikuru sirivha nendarama.
17:18b.DEU.017.018 Zvino kana iye ogara pachigaro chake choushe, anofanira kunyora murayiro uyu mubhuku yake, achitora mashoko ari kuvapirisiti vaRevhi;
17:19b.DEU.017.019 inofanira kugara naye, kuti aravemo mazuva ose oupenyu hwake; kuti adzidze kutya Jehovha Mwari wake, nokuchengeta mashoko ose omurayiro uyu nezvakatemwa izvi, kuti azviite;
17:20b.DEU.017.020 kuti moyo wake urege kuzvikudza pamusoro pehama dzake, arege kutsauka pamurayiro, uyu, kana kurudyi, kana kuruboshwe; kuti awedzere mazuva ake paushe hwake, iye, navana vake, pakati paIsiraeri.
18
18:1b.DEU.018.001 Vapirisiti vaRevhi, norudzi rwose rwaRevhi, havafaniri kuva nomugove kana nhaka pamwechete naIsiraeri, vanofanira kudya zvipiriso zvaJehovha zvinopiswa nenhaka yake.
18:2b.DEU.018.002 Havafaniri kuva nenhaka pakati pehama dzavo; Jehovha ndiye nhaka yavo, sezvaakataura kwavari.
18:3b.DEU.018.003 Zvino ndizvo zvinofanira kupiwa vapirisiti navanhu, naivo vanouya nechibayiro, kana iri nzombe kana gwai; vanofanira kupa mupirisiti bandauko, neshayambiri, nesusu.
18:4b.DEU.018.004 Zvitsva zvezviyo zvako, nezvewaini yako, nezvamafuta ako, nemvere dzokutanga dzamakwai ako, ndizvo zvaunofanira kuvapa.
18:5b.DEU.018.005 Nokuti Jehovha Mwari wako wakamutsaura iye pakati pamarudzi ako ose, kuti amire achishumira nezita raJehovha, iye, navanakomana vake nokusingaperi.
18:6b.DEU.018.006 Zvino kana muRevhi akabva kune rimwe ramasuo ako muIsiraeri mose, kwaagere, akauya nomoyo wake kunzvimbo ichatsaurwa naJehovha,
18:7b.DEU.018.007 iye anofanira kubata basa nezita raJehovha Mwari wake, sezvinoita hama dzake dzose vaRevhi dzinomirapo pamberi paJehovha.
18:8b.DEU.018.008 Vanofanira kupiwa migove yakaenzana yezvokudya, kunze kwezvaakawana pakutengesa nhaka yamadzibaba ake.Havafaniri kutevera tsika dzavahedheni
18:9b.DEU.018.009 Zvino kana wasvika munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, usadzidza kutevera zvinonyangadza zvendudzi idzo.
18:10b.DEU.018.010 Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu unopinza mwanakomana wake kana mwanasikana wake mumoto, kana unouka, kana unotenda mashura, kana unoita mazango, kana muroyi,
18:11b.DEU.018.011 kana nanga, kana unobvunza masvikiro, kana muuki, kana unobvunza vakafa.
18:12b.DEU.018.012 Nokuti vose vanoita zvinhu izvi vanonyangadza Jehovha; nokuda kwezvinonyangadza izvi Jehovha Mwari wako unovadzinga pamberi pako.
18:13b.DEU.018.013 Unofanira kuva wakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.
18:14b.DEU.018.014 Nokuti ndudzi idzi dzamunopiwa dzive dzenyu, dzinoteerera vanotenda mashura navanouka; asi iwe Jehovha Mwari wako haana kukutendera kuita izvozvo.
18:15b.DEU.018.015 Jehovha Mwari wako uchakumutsira muporofita, unobva pakati pako, pahama dzako, wakafanana neni; unofanira kumuteerera iye;
18:16b.DEU.018.016 sezvawakakumbira kuna Jehovha Mwari wako paHorebhu nomusi weungano, uchiti, Ndirege hangu kuzonzwazve inzwi raJehovha Mwari wangu, uye ndirege hangu kuzoonazve moto uyu mukuru, ndirege kufa.
18:17b.DEU.018.017 Jehovha akati kwandiri, Zvose zvavakareva, vakataura havo zvakanaka.
18:18b.DEU.018.018 Ndichavamutsira muporofita, unobva pakati pehama dzavo, wakafanana newe; ndichaisa mashoko angu mumuromo make, iye uchavaudza zvose zvandinomuraira.
18:19b.DEU.018.019 Zvino munhu upi noupi usingatereri mashoko angu, aachataura muzita rangu, ndichamubvunza pamusoro paizvozvo.
18:20b.DEU.018.020 Asi muporofita unotaura shoko muzita rangu achizvikudza, riri shoko randisina kumuraira kuti aritaure, kana zvimwe unotaura muzita ravamwe vamwari, muporofita uyo anofanira kufa.
18:21b.DEU.018.021 Zvino kana iwe ukati mumoyo mako, Ko tichaziva seiko shoko risina kutaurwa naJehovha?
18:22b.DEU.018.022 Kana muporofita achinge ataura muzita raJehovha, chinhu icho chikasaitika, chikasavapo, ndicho chinhu chisina kutaurwa naJehovha; muporofita wakaritaura achizvikudza, haufaniri kumutya.
19
19:1b.DEU.019.001 Zvino kana Jehovha Mwari wako achiparadza ndudzi dzaunopiwa nyika yadzo naJehovha Mwari wako, iwe ukapinda panzvimbo yavo, ukagara mumaguta avo nomudzimba dzavo;
19:2b.DEU.019.002 unofanira kuzvitsaurira maguta matatu munyika yako, yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive yako.
19:3b.DEU.019.003 Unofanira kuzvigadzirira nzira, nokuganhura nyika yako, yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive nhaka yako, uchiita migove mitatu, kuti munhu upi noupi wakauraya agone kutizirako.
19:4b.DEU.019.004 Zvino ndiwo murayiro womuurayi unotizirako akazorarama: Munhu upi noupi unouraya wokwake, nokusaziva, asina kumuvenga kare;
19:5b.DEU.019.005 somunhu unoti kana achienda nowokwake kudondo kundotema huni, akasimudza ruoko rwake kuti ateme muti nesanhu, dare ndokuvhomoka pamupinyi, ndokutema wokwake akafa; iye unofanira kutizira kune rimwe ramaguta awa, ararame.
19:6b.DEU.019.006 Kuti mutsivi weropa arege kuteverera muurayi, moyo wake uchine shungu, akamubata nokuti kure, akamurova akafa; izvo wakanga asina kufanirwa norufu, nokuti wakanga asina kumuvenga kare.
19:7b.DEU.019.007 Saka ndinokuraira, ndichiti, Unofanira kuzvitsaurira maguta matatu.
19:8b.DEU.019.008 Zvino kana Jehovha Mwari wako achizokurisa nyika yako, sezvaakapikira madzibaba ako, akakupa nyika yose yaakapikira madzibaba ako, kuti uchavapa iyo;
19:9b.DEU.019.009 kana ukachengeta murayiro uyu wose nokuuita, uyu wandinokuraira nhasi, kuti ude Jehovha Mwari wako,nokufamba munzira dzake, nguva dzose; ipapo unofanira kuzowedzerazve mamwe maguta matatu kuna awa matatu;
19:10b.DEU.019.010 kuti ropa romunhu usine mhosva rirege kuteurwa panyika yako, yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive yako; kuti nokudaro ropa rirege kuva pamusoro pako.
19:11b.DEU.019.011 Asi kana munhu upi noupi akavenga wokwake, akamuvandira, akamumukira, ndokumurova akafa, kana iye akatizira kune rimwe ramaguta awa;
19:12b.DEU.019.012 ipapo vakuru veguta rake vanofanira kutuma munhu kundomutorako, vagomuisa mumaoko omutsivi weropa, afe.
19:13b.DEU.019.013 Haufaniri kumunzwira tsitsi, asi iwe unofanira kubvisa ropa romunhu usine mhosva pakati paIsiraeri, kuti zvive zvakanaka newe. Unotorera mumwe nyika yake neanopupura nhema vanofanira kurohwa
19:14b.DEU.019.014 Usashandura miganhu yowokwako, yakatarwa navekare, panhaka yako yauchazopiwa, panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive yako.
19:15b.DEU.019.015 Chapupu chimwe hachifaniri kupupurira munhu pachinhu chakaipa chipi nechipi, kana chivi chipi nechipi, chiri chivi chipi nechipi chaakatadza; shoko rinofanira kusimbiswa nezvapupu zviviri kana zvitatu.
19:16b.DEU.019.016 Kana chapupu chisina kururama chikapupurira munhu upi noupi kuti wakatadza;
19:17b.DEU.019.017 ipapo varume vaviri vose vane nharo vanofanira kumira pamberi paJehovha, pamberi pavapirisiti navatongi vachavapo namazuva iwayo;
19:18b.DEU.019.018 zvino vatongi vanofanira kuferefeta kwazvo; kana vakaona kuti chapupu icho chapupu chenhema, chakapupurira hama yacho nhema,
19:19b.DEU.019.019 munofanira kumuitira iye sezvaakafunga kuitira hama yake; nokudaro iwe unofanira kubvisa chakaipa pakati pako.
19:20b.DEU.019.020 Vakasara vanofanira kuzvinzwawo, vatye, varege kuzoita chakaipa chakadai pakati pako.
19:21b.DEU.019.021 Haufaniri kumunzwira tsitsi; upenyu hunofanira kutsihwa noupenyu, ziso neziso, zino nezino, ruoko noruoko, rutsoka norutsoka.
20
20:1b.DEU.020.001 Kana ukabuda kundorwa navavengi vako, ukaona mabhiza, nengoro navanhu vakawanda kupfuura iwe, usavatya; nokuti Jehovha Mwari wako unewe, iye wakakubudisa panyika yeIjipiti.
20:2b.DEU.020.002 Zvino kana moswedera pakurwa, mupirisiti anofanira kuuya kuzotaura navanhu,
20:3b.DEU.020.003 achiti kwavari, Inzwai imwi Isiraeri, nhasi moswedera pakurwa navavengi venyu, moyo yenyu ngairege kupera simba; regai kutya kana kudedera, kana kuvhunduka pamberi pavo;
20:4b.DEU.020.004 nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye unoenda nemi, kukurwirai pavavengi venyu, kukuponesai.
20:5b.DEU.020.005 Navakuru vanofanira kutaura navanhu, vachiti, Pano munhu here wakavaka imba itsva, uchigere kutanga kuigara? Ngaadzokere kumba kwake; kuti arege kufa pakurwa, mumwe akatanga kuigara.
20:6b.DEU.020.006 Uye, pano munhu here wakarima munda wemizambiringa, uchigere kudya michero yawo? Ngaadzokere kumba kwake; kuti arege kufa pakurwa, mumwe akadya michero yawo.
20:7b.DEU.020.007 Uye, pano munhu here wakanyenga musikana, uchigere kumuwana? Ngaadzokere kumba kwake; kuti arege kufa pakurwa, mumwe akamuwana.
20:8b.DEU.020.008 Uye vakuru vanofanira kutaurawo kuvanhu, vachiti, Pano munhu here unotya, unomoyo unovhunduka? Ngaadzokere kumba kwake; kuti moyo yehama dzake irege kunyauka somoyo wake.
20:9b.DEU.020.009 Zvino kana vakuru vapedza kutaura navanhu, vanofanira kugadza vatariri vehondo vangatungamirira vanhu.
20:10b.DEU.020.010 Kana woswedera pedo neguta kuti urwe naro, unofanira kuriparidzira rugare.
20:11b.DEU.020.011 Zvino kana ivo vachikupindura norugare, vakakuzarurira masuo avo, ipapo vanhu vose vanowanikwa mukati maro vanofanira kukuteerera mutero nokukubatira.
20:12b.DEU.020.012 Kana vasingadi kuyanana newe, asi kurwa newe, iwe unofanira kurikomba;
20:13b.DEU.020.013 kana Jehovha Mwari wako akariisa mumaoko ako, unofanira kuparadza varume vose varimo nomunondo unopinza;
20:14b.DEU.020.014 asi vakadzi, nepwere, nemombe, nezvose zviri muguta, zvose zvingapambwa, unofanira kuzvitapira izvo; iwe uchadya zvakapambwa kuvavengi vako, zvaunopiwa naJehovha Mwari wako.
20:15b.DEU.020.015 Unofanira kuita saizvozvo namaguta ose ari kure kwazvo newe, asati ari maguta endudzi idzi.
20:16b.DEU.020.016 Asi kana ari maguta avanhu ava, vaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti vave nhaka yako, haufaniri kurega chinhu chimwe chinofema chiri chipenyu;
20:17b.DEU.020.017 asi unofanira kuvaparadza chose, ivo vaHeti, navaAmori, naKenani, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi; sezvawakarairwa naJehovha Mwari wako;
20:18b.DEU.020.018 kuti varege kukudzidzisai kuita zvose zvavo zvinonyangadza, zvavakaitira vamwari vavo; imwi mukatadzira Jehovha Mwari wenyu.
20:19b.DEU.020.019 Kana ukakomba guta nguva refu, uchirwa naro, kuti urikunde, haufaniri kuparadza miti yaro, uchiitema nesanhu; ungaidya, haufaniri kuitema; nokuti muti womusango munhu here, kuti ukombwe newe?
20:20b.DEU.020.020 Asi miti yaunoziva kuti miti isingadyiwi, unofanira kuiparadza uchiitema; guta rinorwa newe unofanira kurivakira mhanda kusvikira rakundwa.
21
21:1b.DEU.021.001 Kana panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive yako, pakawanikwa munhu akaurawa akatandavara kusango, kusingazikanwi kuti wamuuraya ndiani,
21:2b.DEU.021.002 ipapo vakuru vako navatongi vako vanofanira kundoyera chinhambo kusvika kumaguta akapoteredza munhu wakaurawa;
21:3b.DEU.021.003 zvino guta riri pedo nomunhu wakaurawa, vakuru veguta iro vanofanira kutora tsiru remombe, risina kumbobatwa naro, risina kumbokweva pajoko,
21:4b.DEU.021.004 vakuru veguta iro vagoenda netsiru kumupata uno rukova rune mvura inoyerera, usina kumborimwa kana kudyarwa, ndokuvhuna mutsipa wetsiru imomo mumupata;
21:5b.DEU.021.005 vapirisiti vana vaRevhi vanofanira kuswedera, nokuti ndivo vakatsaurwa naJehovha Mwari wako, kuti vamushumire, nokuropafadza vanhu nezita raJehovha; nokuti chirevo chenharo dzose nokukuvadza kwose zvinofanira kutemwa navo;
21:6b.DEU.021.006 zvino vakuru vose veguta iro riri pedo nomunhu wakaurawa vanofanira kushamba maoko avo pamusoro petsiru rakavhuniwa mutsipa waro pamupata,
21:7b.DEU.021.007 vagopindura, vachiti, Maoko edu haana kuteura ropa iro, nameso edu haana kuriona.
21:8b.DEU.021.008 imwi Jehovha kanganwirai henyu vanhu venyu valsiraeri, vamakadzikunura; musatendera kuti ropa risine mhosva rigare pakati pavanhu venyu vaIsiraeri. Ipapo vachakanganwirwa ropa iro.
21:9b.DEU.021.009 Saizvozvo unofanira kubvisa ropa risine mhosva pakati pako, kana waita zvakarurama pamberi paJehovha. Vakadzi vakatapwa
21:10b.DEU.021.010 Kana uchindorwa navavengi vako, Jehovha Mwari wako akavaisa mumaoko ako, ukavatapa,
21:11b.DEU.021.011 ukaona pakati pavatapwa mukadzi wakanaka, ukamuda, ukada kumuwana ave mukadzi wako,
21:12b.DEU.021.012 unofanira kuenda naye kumba kwako; zvino iye unofanira kuveura musoro wake, nokugura nzara dzake,
21:13b.DEU.021.013 nokurasha nguvo dzake dzokutapwa, ndokugara mumba mako achichema baba vake namai vake mwedzi wose; pashure paizvozvo iwe ungapinda kwaari, iwe uve murume wake, iye ave mukadzi wako.
21:14b.DEU.021.014 Zvino kana iwe usingafari naye, unofanira kumurega kuti aende hake kwaanoda; asi haufaniri kutongomutengesa nemari; haufaniri kumuitira sezvinoitirwa muranda, nokuti wakatanga wamunyadzisa. Nhaka yomwana wedangwe
21:15b.DEU.021.015 Kana murume achinge ana vakadzi vaviri, mumwe unodikanwa, nomumwe unovengwa, vakamuberekera vana, unodikanwa nounovengwa vose vari vaviri; zvino kana mwanakomana wedangwe ari waiye unovengwa,
21:16b.DEU.021.016 musi waanogarisa vanakomana vake nhaka yake, haafaniri kupa mwanakomana wounodikanwa udangwe, achidarika mwanakomana wounovengwa, iye ari mwanakomana wedangwe chaiye;
21:17b.DEU.021.017 asi anofanira kutenda mwanakomana wounovengwa, kuti ndiye wedangwe, amupe migove miviri yezvose zvaanazvo; nokuti ndiye wokutanga wesimba rake; ndiye anofanirwa noudangwe. Mwana asingatereri
21:18b.DEU.021.018 Kana munhu anomwanakomana wakasindimara usinganzwi, asingadi kuteerera inzwi rababa vake kana inzwi ramai vake, usinganzwi kana vachimuranga;
21:19b.DEU.021.019 baba vake namai vake vanofanira kumubata ndokuenda naye kuvakuru veguta rake, nokusuo renzvimbo yake,
21:20b.DEU.021.020 vagoti kuvakuru veguta rake, Mwanakomana wedu uyu wakasindimara, unotimukira, haadi kuteerera inzwi redu; unopedza fuma, nokunwa doro.
21:21b.DEU.021.021 Zvino varume vose veguta vanofanira kumutaka namabwe, kuti afe; saizvozvo unofanira kubvisa chakaipa pakati pako; vaIsiraeri vose vazvinzwe, vatye. Kuvigwa kwavakaurawa
21:22b.DEU.021.022 Kana munhu achinge atadza chivi chinofanirwa norufu, akaurawa, ukamusungirira pamuti;
21:23b.DEU.021.023 chitunha chake hachifaniri kuvata pamuti usiku hwose, asi unofanira kumuviga nomusi iwoyo, nokuti munhu wakasungirirwa wakatukwa naMwari; kuti urege kusvibisa nyika yako yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive yako.
22
22:1b.DEU.022.001 Haufaniri kuona nzombe yehama yako, kana gwai rake, zvichirashika, ukazvinyenyeredza; zvirokwazvo unofanira kuzvidzosera kuhama yako.
22:2b.DEU.022.002 Kana hama yako iri kure newe, zvimwe usingachizivi, unofanira kuenda nacho kumusha kwako, chigare kwauri kusvikira hama yako ichichitsvaka, ugochidzosera kwaari.
22:3b.DEU.022.003 Unofanira kuita saizvozvowo nembongoro yake; unofanira kuita saizvozvowo nenguvo yake; unofanira kuita saizvozvowo nezvinhu zvose zvehama yako zvakarashika, chaakanga arashikirwa nacho, chikawanikwa newe; haufaniri kuzvinyenyeredza.
22:4b.DEU.022.004 Haufaniri kuona mbongoro, kana nzombe, zvehama yako zvawira pasi panzira, ukazvinyenyeredza; unofanira kumubatsira zvirokwazvo kuzvimutsa. Zvisingatenderwi
22:5b.DEU.022.005 Mukadzi haafaniri kufuka nguvo dzomurume, nomurume haafaniri kufuka nguvo dzomukadzi; nokuti ani naani unoita izvozvo unonyangadza Jehovha Mwari wako.
22:6b.DEU.022.006 Kana ukawana dendere reshiri panzira, pamuti upi noupi, kana pasi, rina vana kana mazai, mai ichivhuvatira vana kana mazai, haufaniri kutora mai navana;
22:7b.DEU.022.007 unofanira kurega mai, asi vana ungatora hako; kuti zvive zvakanaka newe, uwedzerwe mazuva ako.
22:8b.DEU.022.008 Kana ukavaka imba itsva, unofanira kuisa rumhanda padenga rako, kuti urege kuuyisa mhosva yeropa pamusoro peimba yako, kana mumwe munhu akawapo.
22:9b.DEU.022.009 Haufaniri kudzvara mbeu dzamarudzi maviri pamunda wako wemizambiringa, kuti zvibereko zvose zvirege kutsaurirwa nzvimbo tsvene, idzo mbeu dzawadzvara, nezvibereko zvomunda wemizambiringa.
22:10b.DEU.022.010 Usarima nenzombe nembongoro zvakasungwa pamwechete.
22:11b.DEU.022.011 Usafuka nguvo dzakarukwa nezvinhu zvakavhenganiswa, mvere pamwechete nomucheka.
22:12b.DEU.022.012 Unofanira kuzviitira masa pamiromo mina yenguvo yako yaunozvifukidza nayo. Mukadzi wakachinya
22:13b.DEU.022.013 Kana munhu akawana mukadzi, akapinda kwaari, akazomuvenga,
22:14b.DEU.022.014 akamupomera zvinonyadza, nokutaura zvakaipa pamusoro pake, achiti, Ndakawana mukadzi uyu, asi ndakati ndichiswedera kwaari, handina kuwana zviratidzo zvoumhandara hwake kwaari;
22:15b.DEU.022.015 zvino baba vomusikana namai vake vanofanira kuenda nezviratidzo zvoumhandara hwake kuvakuru veguta pasuo;
22:16b.DEU.022.016 zvino baba vomusikana vanofanira kuti kuvakuru, Ndakapa murume uyu mwanasikana wangu, kuti ave mukadzi wake, asi zvino womuvenga;
22:17b.DEU.022.017 tarirai, wamupomera zvinhu zvinonyadza, achiti, Handina kuwana zviratidzo zvoumhandara kumwanasikana wako; asi hezvi zviratidzo zvoumhandara hwomwanasikana wangu. Zvino vanofanira kuwarira nguvo pamberi pavakuru veguta.
22:18b.DEU.022.018 Ipapo vakuru veguta iro vanofanira kubata murume uyo, vamurove;
22:19b.DEU.022.019 nokumuripisa mashekeri esirivha ane zana, vagoapa baba vomusikana, nokuti wakataura zvakaipa pamusoro pomusikana waIsiraeri; zvino iye anofanira kuva mukadzi wake, haangamurashi mazuva ake ose.
22:20b.DEU.022.020 Asi kana riri shoko rezvokwadi, kuti zviratidzo zvoumhandara zvakashaikwa kumusikana,
22:21b.DEU.022.021 vanofanira kubudisira musikana kumukova weimba yababa vake, varume veguta rake vagomutaka namabwe, afe; nokuti wakaita sebenzi pakati paIsiraeri, pakupata kwake paimba yababa vake; saizvozvo anofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.
22:22b.DEU.022.022 Kana murume akawanikwa achivata nomukadzi wakawanikwa nomurume wake, ivavo vose vanofanira kuurawa, murume wakavata nomukadzi naiye mukadziwo; saizvozvo iwe unofanira kubvisa zvakaipa pakati paIsiraeri.
22:23b.DEU.022.023 Kana kuno musikana, achiri mhandara, wakanyengwa nomurume, mumwe murume akamuwana muguta, akavata naye;
22:24b.DEU.022.024 ipapo munofanira kuvabudisa vose vari vaviri pasuo reguta, mugovataka namabwe, vafe, musikana nokuti haana kuridza mhere, ari muguta hake, uye murume, nokuti wanyadzisa mukadzi wowokwake; saizvozvo iwe unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.
22:25b.DEU.022.025 Asi kana murume akawana musikana uyo wakanyengwa ari kusango, murume akaita simba naye, akavata naye, iye murume wakavata naye anofanira kufa, iye oga;
22:26b.DEU.022.026 asi musikana haufaniri kumuita chinhu; musikana haana kuita chivi chinofanirwa norufu; nokuti shoko iri rakafanana neromurume wakamukira wokwake akamuuraya;
22:27b.DEU.022.027 nokuti wakamuwana kusango, musikana wakanyengwa akaridza mhere, asi kwakanga kusinomunhu kumurwira.
22:28b.DEU.022.028 Kana murume akawana musikana, uchiri mhandara, ugere kunyengwa, akaita simba naye, akavata naye, vakaonekwa,
22:29b.DEU.022.029 ipapo murume wakavata naye anofanira kupa baba vake mashekeri ana makumi mashanu esirivha, zvino iye unofanira kuva mukadzi wake, nokuti wamunyadzisa; haafaniri kuzomurasha paupenyu hwake hwose.
22:30b.DEU.022.030 Murume haafaniri kutora mukadzi wababa vake, haafaniri kufukura nhere yababa vake.
23
23:1b.DEU.023.001 Munhu wakakuvadzwa manhu ake kana chirema chake haafaniri kupinda paungano yaJehovha.
23:2b.DEU.023.002 Mwana woupombwe haafaniri kupinda paungano yaJehovha; kunyange kusvikira parudzi rwegumi vana vake havafaniri kupinda paungano yaJehovha.
23:3b.DEU.023.003 MuAmoni nomuMoabhu havafaniri kupinda paungano yaJehovha; kunyange kusvikira parudzi rwegumi mumwe wokwavo haafaniri kupinda paungano yaJehovha nokusingaperi;
23:4b.DEU.023.004 nokuti havana kundokuchingurai nezvokudya nemvura panzira, nguva yamakabuda Ijipiti; uye nokuti vakatsvaka kuripira Bharamu, mwanakomana waBheori, wePetori, paMesopotamia, kuti akutuke.
23:5b.DEU.023.005 Asi Jehovha Mwari wako wakanga asingadi kuteerera Bharamu, asi Jehovha Mwari wako wakashandura kutuka akakuropafadza, nokuti Jehovha Mwari wako wakakuda.
23:6b.DEU.023.006 Haufaniri kuvatsvakira rugare kana mufaro, mazuva ako ose nokusingaperi.
23:7b.DEU.023.007 Haufaniri kusema muEdhomu, nokuti ihama yako; haufaniri kusema muIjipiti, nokuti wakanga uri mutorwa iwe panyika yake.
23:8b.DEU.023.008 Vana vavo vavanoberekerwa parudzi rwechitatu, vangapinda paungano yaJehovha. Pamisasa pagare pakanaka
23:9b.DEU.023.009 Kana uchindorwa navavengi vako, unofanira kuzvichengeta pazvinhu zvose zvakaipa.
23:10b.DEU.023.010 Kana kuno mumwe pakati penyu usina kunaka nokuda kwezvakamuwira usiku, unofanira kubuda kunze kwemisasa, ngaarege kupinda pamisasa;
23:11b.DEU.023.011 zvino kana ava madekwana, unofanira kuzvishambidza nemvura; kana zuva ravira ungapinda hake pamisasa.
23:12b.DEU.023.012 Iwe unofanira kuva nenzvimbo kunze kwemisasa kwaungaenda.
23:13b.DEU.023.013 Unofanira kuva nechirayawo pakati penhumbi dzako dzokurwa nadzo; zvino kana woenda kunze, unofanira kuchera nacho, ndokuzofusira zvinobva kwauri;
23:14b.DEU.023.014 nokuti Jehovha Mwari wako unofamba pakati pemisasa yako, kuti akurwire, nokuisa vavengi vako mumaoko ako; naizvozvo misasa yako inofanira kuva mitsvene, kuti arege kuona chinhu chakaipa pakati penyu, akufuratire. Mimwe mirairo
23:15b.DEU.023.015 Usadzosera muranda kuna tenzi wake, wakatizira kwauri, achibva kuna tenzi wake;
23:16b.DEU.023.016 anofanira kugara newe, pakati pako, paanotsaura hake pakati perimwe ramasuo ako paanofarira; haufaniri kumumanikidza.
23:17b.DEU.023.017 Hapafaniri kuva nechifeve pakati pavanasikana vaIsiraeri; uye hapafaniri kuva nemhombwe pakati pavanakomana vaIsiraeri.
23:18b.DEU.023.018 Haufaniri kuuya nomubayiro wechifeve, kana mutengo wembwa, muimba yaJehovha Mwari wako, kuti upike nawo; nokuti izvo zviviri zvose zvinonyangadza Jehovha Mwari wako.
23:19b.DEU.023.019 Usapa hama yako chikwerete, uchireva mhindu, iri mhindu yemari, kana yezvokudya, kana yechinhu chipi nechipi chinopiwa chichireva mhindu.
23:20b.DEU.023.020 Mutorwa ungamupa chikwerete, uchireva mhindu; asi haufaniri kupa hama yako chikwerete, uchireva mhindu; kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pazvose zvaunobata namaoko ako, panyika yaunoenda kuti ive yenyu.
23:21b.DEU.023.021 Kana ukapikira Jehovha Mwari wako mhiko, usanonoka kuiripa; nokuti zvirokwazvo, Jehovha Mwari wako uchaibvunza kwauri; zvingava zvivi kwauri.
23:22b.DEU.023.022 Asi kana ukarega hako kupika, hazvingavi zvivi kwauri.
23:23b.DEU.023.023 Uchenjere kuti uite sezvawakataura; sezvawapikira Jehovha Mwari wako, chiri chipo chokuda kwako, chawakapikira nomuromo wako.
23:24b.DEU.023.024 Kana ukapinda mumunda wemizambiringa wowokwako, ungadya mazambiringa sezvaunoda, ugute; asi haufaniri kuisa mamwe mumudziyo wako.
23:25b.DEU.023.025 Kana ukapinda muzviyo zvowokwako zvigere kukohwewa, ungavhuna hako hura noruoko rwako; asi haufaniri kucheka zviyo zvowokwako nejeko.
24
24:1b.DEU.024.001 Kana murume akatora mukadzi, akamuwana, zvino akasafara naye, nokuti wawana chinhu chisina kufanira kwaari, unofanira kumunyorera rugwaro rwokumuramba, ndokuruisa muruoko rwake, ndokumubvisa mumba make.
24:2b.DEU.024.002 Zvino kana abuda mumba make, ungandowanikwa nomumwe murume.
24:3b.DEU.024.003 Kana murume uyuzve akamuvenga, akamunyorera rugwaro rwokumuramba, akamupa irwo muruoko rwake, akamubvisa mumba make, kunyange murume uyu akazofa, iye wakazomuwana,
24:4b.DEU.024.004 murume wake wokutanga, wakadeya kumubvisa, haangamuwanizve, zvaakasvibiswa; nokuti izvo zvinonyangadza Jehovha; haufaniri kutadzisa nyika, yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive nhaka yako.
24:5b.DEU.024.005 Kana munhu achangowana mukadzi, haafaniri kuenda kuhondo, kana kubatiswa rimwe basa; anofanira kugara kumusha gore rimwe akasununguka, kuti afadze mukadzi wake waakawana. Zvokupika nezvokuba nezvamaperembudzi
24:6b.DEU.024.006 Munhu haafaniri kutora guyo kana huyo, kuti ruve rubatso; nokuti unotora rubatso rwoupenyu hwomunhu.
24:7b.DEU.024.007 Kana munhu akawanikwa achiba mumwe wehama dzake kuvana vaIsiraeri, akamuita muranda wake, kana kumutengesa, uyo mubi anofanira kufa; saizvozvo unofanira kubvisa chakaipa pakati pako.
24:8b.DEU.024.008 Chenjera pahosha yamaperembudzi kuti uchengete nokuita zvakanaka zvamunodzidziswa navapirisiti vaRevhi; sezvandakavaraira, ndizvo zvamunofanira kuita.
24:9b.DEU.024.009 Rangarira zvakaitirwa Miriami naJehovha Mwari wako panzira, muchibuda Ijipiti.
24:10b.DEU.024.010 Kana ukaposwa nowokwako chinhu chipi nechipi, haufaniri kupinda mumba make kundotora rubatso rwake.
24:11b.DEU.024.011 Unofanira kumira kunze, kuti munhu wakaposwa newe akubudisire kunze rubatso rwake.
24:12b.DEU.024.012 Kana achinge ari murombo haufaniri kundovata norubatso rwake.
24:13b.DEU.024.013 Unofanira kumudzosera rubatso kana zuva rovira, kuti avate nenguvo yake, akuropafadze; ucharuramiswa pamusoro paizvozvo naJehovha Mwari wako.
24:14b.DEU.024.014 Usamanikidza muranda unokubatira, ari murombo unoshaiwa, kana ari mumwe wehama dzako, kana wavatorwa vako vari munyika yako, mukati mamasuo ako.
24:15b.DEU.024.015 Unofanira kumupa mubayiro wake zuva rimwe nerimwe, zuva ngarirege kuvira asati apiwa; nokuti murombo, nomoyo wake unoutarira; kuti arege kuzochema kuna Jehovha pamusoro pako, zvikava zvivi kwauri.
24:16b.DEU.024.016 Madzibaba haafaniri kuurawa pamusoro pavana vavo, navana havafaniri kuurawa pamusoro pamadzibaba avo; munhu mumwe nomumwe anofanira kuurayirwa zvivi zvake. Tsitsi kuchirikadzi, nenherera, navatorwa
24:17b.DEU.024.017 Usatongera mutorwa kana nherera zvisina kururama; uye haufaniri kutora nguvo yechirikadzi kuita rubatso nayo.
24:18b.DEU.024.018 Asi unofanira kurangarira kuti wakanga uri muranda paIjipiti, Jehovha Mwari wako akakudzikunura ipapo; naizvozvo ndinokuraira kuita chinhu ichi.
24:19b.DEU.024.019 Kana ukakohwa zviyo zvako mumunda mako, ukakanganwa chisote mumunda, haufaniri kudzokera kundochitora, chinofanira kuva chomutorwa, nenherera, nechirikadzi, kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pamabasa ose amaoko ako.
24:20b.DEU.024.020 Kana uchizunza muti wako womuorivhi, usatsvakisisa pamatavizve; zvinofanira kuva zvomutorwa nenherera, nechirikadzi.
24:21b.DEU.024.021 Kana uchiunganidza mazambiringa omunda wako wemizambiringa, haufaniri kutsvakisisazve; anofanira kuva omutorwa, nenherera, nechirikadzi.
24:22b.DEU.024.022 Unofanira kurangarira kuti wakanga uri muranda panyika yeIjipiti; naizvozvo ndinokuraira chinhu ichi.
25
25:1b.DEU.025.001 Kana vanhu vakaita nharo, vakauya kutongerwa, vatongi vakavatongera, vanofanira kururamisira wakarurama, nokupa mhosva munhu wakatadza.
25:2b.DEU.025.002 Zvino kana wakatadza achifanirwa nokurohwa, mutongi anofanira kumutsivamisa pasi, agorohwa pamberi pake zvakaenzana nokutadza kwake.
25:3b.DEU.025.003 Anofanira kumurova kana makumi mana, haafaniri kupfuudza; kuti, kana akapfuudza, akamurova kupfuura ipapo kazhinji, hama yako irege kuzvidzwa pamberi pako.
25:4b.DEU.025.004 Usasunga muromo wenzombe inopura zviyo. Munhu anofa asina mwana
25:5b.DEU.025.005 Kana vana vomunhu mumwe vagere pamwechete, mumwe wavo akafa asina mwanakomana, mukadzi wowakafa haafaniri kuwanikwa nomutorwa kunze kwehama; munununa womurume wake anofanira kupinda kwaari, ave mukadzi wake, amuitire sezvinofanira kuita munununa womurume.
25:6b.DEU.025.006 Zvino mwana wedangwe waachabereka, ndiye anofanira kupinda panzvimbo yomukoma wake wakafa, kuti zita rake rirege kudzima pakati paIsiraeri.
25:7b.DEU.025.007 Kana munhu asingadi kuwana mukadzi womukoma wake, mukadzi womukoma wake anofanira kukwira kusuo ravakuru, agoti, Munununa womurume wangu unoramba kumutsira mukoma wake zita muna Isiraeri, haadi kundiitira sezvinofanira kuita munununa womurume.
25:8b.DEU.025.008 Zvino vakuru veguta rake vanofanira kumudana, vataure naye; kana akaramba, achiti, Handidi hangu kumuwana;
25:9b.DEU.025.009 mukadzi womukoma wake anofanira kuuya kwaari pamberi pavakuru, ndokubvisa shangu yake parutsoka rwake, ndokumupfira mate pameso, agopindura achiti, Ndizvo zvinofanira kuitirwa munhu usingavaki imba yomukoma wake.
25:10b.DEU.025.010 Zita rake muna Isiraeri rinofanira kunzi, Imba yomunhu wakabviswa shangu yake.
25:11b.DEU.025.011 Kana varume vakarwa, mukadzi womumwe akaswedera kurwira murume wake paruoko rwaiye anomurova, akatambanudza ruoko rwake, akamubata pa mberi,
25:12b.DEU.025.012 iwe unofanira kugura ruoko rwake, haufaniri kumunzwira tsitsi. Zviyereso zvisinganyengeri
25:13b.DEU.025.013 Haufaniri kuva nezviyereso zvisina kuenzana muhombodo yako, chikuru nechiduku.
25:14b.DEU.025.014 Haufaniri kuva nezviyero zvisina kuenzana mumba mako, chikuru nechiduku.
25:15b.DEU.025.015 Unofanira kuva nechiyereso chakakwana, chakarurama; kuti mazuva ako ave mazhinji panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
25:16b.DEU.025.016 Nokuti vose vanoita zvinhu zvakadai, ivo vose vanoita zvisina kururama, vanonyangadza Jehovha Mwari wako. Amareki anofanira kuparadzwa
25:17b.DEU.025.017 Rangarira zvawakaitirwa naAmareki panzira, pakubuda kwenyu Ijipiti;
25:18b.DEU.025.018 kuti wakakuwira panzira, akaparadza vanhu vako vakanga vari shure, vose vakanga vasine simba, panguva yamakanga maziya nokuneta; iye wakanga asingatyi Mwari.
25:19b.DEU.025.019 Zvino kana Jehovha Mwari wako akupa zororo pavavengi vako vose, vanokupoteredza panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, ive nhaka yako, unofanira kubvisa pasi pokudenga zvose zvinorangaridza Amareki; usakakanganwa.
26
26:1b.DEU.026.001 Zvino kana wapinda panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive nhaka yako, ikava yako, ukagaramo;
26:2b.DEU.026.002 unofanira kutora zvitsva zvezvibereko zvose zvenyika, zvaunowana panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, ndokuzviisa mudengu, ndokuenda nazvo kunzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako, kuti agarisepo zita rake.
26:3b.DEU.026.003 Zvino uende kumupirisiti uchavapo pamazuva iwayo, uti kwaari, Ndinoreva pachena nhasi pamberi paJehovha Mwari wako, kuti ndasvika panyika yakapikirwa madzibaba edu naJehovha, kuti uchatipa iyo.
26:4b.DEU.026.004 Ipapo mupirisiti anofanira kutora dengu paruoko rwako, ndokurigadza pamberi pearitari yaJehovha Mwati. wako.
26:5b.DEU.026.005 iwe ugopupura, uchiti pamberi paJehovha Mwari wako, Baba vangu vakanga vari muArameya, mufambi wakanga oda kuparara, akaburukira Ijipiti, akagarapo, ana vanhu vashoma havo; vakaitwapo rudzi rukuru, runesimba, runa vanhu vazhinji.
26:6b.DEU.026.006 Valjipiti vakatiitira zvakaipa, nokutitambudza, vakatibatisa mabasa anorema.
26:7b.DEU.026.007 Ipapo takadana kuna Jehovha Mwari wamadzibaba edu, Jehovha akanzwa inzwi redu, akaona kutambudzika kwedu;
26:8b.DEU.026.008 Jehovha akatibudisa paIjipiti neruoko rune simba, noruoko rwakatambanudzwa, nezvinotyisa, nezviratidzo, nezvishamiso;
26:9b.DEU.026.009 akatisvitsa panzvimbo ino, akatipa nyika ino, nyika inoyerera mukaka nouchi.
26:10b.DEU.026.010 Zvino tarira, ndauya nezvitsva zvezvibereko zvenyika yamakandipa, imwi Jehovha. Ipapo unofanira kuzviisa pasi pamberi paJehovha Mwari wako; ndokunamata pamberi paJehovha Mwari wako.
26:11b.DEU.026.011 Unofanira kufarira zvose zvakanaka, zvaunopiwa naJehovha Mwari wako, iwe, naveimba yako, nomuRevhi, nomutorwa uri pakati pako.
26:12b.DEU.026.012 Zvino kana wapedza kutsaura zvegumi zvezvibereko zvako zvose negore rechitatu, nokuti ndiro gore rokutsaura zvegumi, unofanira kuzvipa muRevhi, nomutorwa, nenherera, nechirikadzi, kuti vadye mukati mamasuo ako, vagute.
26:13b.DEU.026.013 Ipapo iwe unofanira kutaura pamberi paJehovha Mwari wako, uchiti, Ndabvisa mumba mangu zvinhu zvakatsaurwa, ndikazvipa muRevhi, nomutorwa, nenherera, nechirikadzi, zvose sezvamakandiraira; handina kudarika mumwe wemirairo yenyu, kana kuikanganwa.
26:14b.DEU.026.014 Handina kuzvidya pakuchema kwangu, kana kuviga zvimwe zvazvo, ndisina kunaka, kana kupa vakafa zvimwe zvazvo; ndakateerera inzwi raJehovha Mwari wangu, ndikaita zvose zvamakandiraira.
26:15b.DEU.026.015 Dotarirai muri paugaro hwenyu hutsvene, pakudenga, muropafadze vanhu venyu Isiraeri, nenyika yamakatipa, sezvamakapikira madzibaba edu, nyika inoyerera mukaka nouchi.
26:16b.DEU.026.016 Nhasi Jehovha Mwari wako unokuraira kuti uite izvi zvakatemwa nezvakatongwa, naizvozvo unofanira kuzvichengeta nokuzviita nomoyo wako wose nomweya wako wose.
26:17b.DEU.026.017 Wapikisa Jehovha nhasi kuti ave Mwari wako, newe kuti unofanira kufamba munzira dzake, nokuchengeta zvaakatema, nemirairo yake, nezvaakatonga, uye kuti uchateerera inzwi rake.
26:18b.DEU.026.018 NaJehovha wakakupikisa iwe kuti uchava rudzi rwake chairwo, sezvaakakupikira, uye kuti uchachengeta mirairo yake yose;
26:19b.DEU.026.019 kuti akukurise kwazvo kupfuura ndudzi dzose dzaakaita, pakurumbidzwa, napamukurumbira, napakukudzwa; kuti uve rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako, sezvaakataura.
27
27:1b.DEU.027.001 Zvino Mozisi navakuru vaIsiraeri vakaraira vanhu, vakati, chengetai mirairo yose yandinokurairai nhasi.
27:2b.DEU.027.002 Zvino nomusi waunoyambuka Jorodhani muchipinda munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, unofanira kuzvimisira mabwe makuru nokuachenesa nesuko;
27:3b.DEU.027.003 ugonyora pamusoro pawo mashoko ose omurayiro uyu, kana wayambuka; kuti upinde munyika yawakapiwa naJehovha Mwari wako, nyika inoyerera mukaka nouchi, sezvawakapikirwa naJehovha Mwari wamadzibaba ako.
27:4b.DEU.027.004 Zvino kana mayambuka Jorodhani, munofanira kumisa mabwe iwayo, sezvandinokurairai nhasi, pagomo reEbhari, nokuachenesa nesuko.
27:5b.DEU.027.005 Ipapo unofanira kuvakirapo Jehovha Mwari wako aritari, aritari yamabwe; haufaniri kusimudzira nhumbi yedare pamusoro payo.
27:6b.DEU.027.006 Unofanira kuvaka aritari yaJehovha Mwari wako namabwe asina kuvezwa, ugobayirapo Jehovha Mwari wako zvipiriso zvinopiswa.
27:7b.DEU.027.007 Unofanira kubayirapo zvipiriso zvokuyananisa, nokudyapo; unofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wako.
27:8b.DEU.027.008 Unofanira kunyora pamusoro pamabwe awo mashoko ose omurayiro uyu, zvionekwe kwazvo.
27:9b.DEU.027.009 Zvino Mozisi navapirisiti navaRevhi vakataura navaIsiraeri vose, vakati, Iwe Isiraeri, nyarara, unzwe; nhasi waitwa rudzi rwaJehovha Mwari wako.
27:10b.DEU.027.010 Naizvozvo unofanira kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako, uite mirairo yake nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi.
27:11b.DEU.027.011 Mozisi akaraira vanhu nomusi uyo, akati,
27:12b.DEU.027.012 Ndivo vanofanira kundomira pamusoro pegomo reGerizimi, kuti varopafadze vanhu, kana mayambuka Jorodhani: Simiyoni, naRevhi, naJudha, naIsakari; naJosefa, naBhenjamini.
27:13b.DEU.027.013 Uye ndivo vanofanira kunomira pagomo reEbhari, kuti vavatuke: Rubheni, naGadhi, naAsheri, naZebhuruni, naDhani, naNafutari.
27:14b.DEU.027.014 Zvino vaRevhi vanofanira kupindura, vachiti kuvarume vose vaIsiraeri nenzwi guru,
27:15b.DEU.027.015 Ngaatukwe munhu unoita mufananidzo wakavezwa, kana wakaumbwa, unonyangadza Jehovha, riri basa ramaoko emhizha, achiumisa pakavanda. Zvino vanhu vose vanofanira kupindura, vachiti, Ameni.
27:16b.DEU.027.016 Ngaatukwe munhu unozvidza baba vake kana mai vake. Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
27:17b.DEU.027.017 Ngaatukwe munhu unoshandura muganhu wehama yake. Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
27:18b.DEU.027.018 Ngaatukwe munhu unotsausa bofu panzira.Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
27:19b.DEU.027.019 Ngaatukwe munhu unotongera Mutorwa nenherera nechirikadzi zvisakarurama. Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
27:20b.DEU.027.020 Ngaatukwe munhu unovata nomukadzi wababa vake, nokuti wafukura nhere yababa vake. Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
27:21b.DEU.027.021 Ngaatukwe munhu unovata nemhuka ipi neipi. Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
27:22b.DEU.027.022 Ngaatukwe munhu unovata nehanzvadzi yake, kana nomwanasikana wababa vake, kana nomwanasikana wamai vake. Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
27:23b.DEU.027.023 Ngaatukwe munhu unovata namai vomukadzi wake. Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
27:24b.DEU.027.024 Ngaatukwe munhu unorova wokwake pakavanda. Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
27:25b.DEU.027.025 Ngaatukwe munhu unogamuchira fufuro kuti auraye mumwe usine mhosva.Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
27:26b.DEU.027.026 Ngaatukwe munhu asingasimbisi mashoko omurayiro uyu, nokuaita. Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
28
28:1b.DEU.028.001 Zvino kana uchiteerera zvakanaka inzwi raJehovha Mwari wako, nokuchenjera kuita mirairo yake yose, yandinokuraira nhasi, Jehovha Mwari wako uchakukurisa kupfuura ndudzi dzose dziri panyika.
28:2b.DEU.028.002 Kuropafadzwa uku kwose kuchaitika kwauri, uchatevererwa nako, kana uchiteerera inzwi raJehovha Mwari wako.
28:3b.DEU.028.003 Ucharopafadzwa muguta, ucharopafadzwa mumunda.
28:4b.DEU.028.004 Zvibereko zvomuviri wako, nezvibereko zvevhu rako, nezvibereko zvemombe dzako, nezvibereko zvemhou dzako, namakwayana amakwai ako, zvicharopafadzwa.
28:5b.DEU.028.005 Dengu rako, nomudziyo wako wokukanyira chingwa, zvicharopafadzwa.
28:6b.DEU.028.006 Ucharopafadzwa kana uchipinda, ucharopafadzwa kana uchibuda.
28:7b.DEU.028.007 Jehovha uchakukundisa vavengi vako, vanokumukira, pamberi pako; vachauya kuzorwa newe nenzira imwe, vachatiza pamberi pako nenzira nomwe.
28:8b.DEU.028.008 Jehovha ucharaira kuti uropafadzwe pamatura ako, napazvose zvaunobata namaoko ako; uchakuropafadza panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
28:9b.DEU.028.009 Jehovha uchakusimbisa, kuti uve rudzi rwake rutsvene, sezvaakakupikira; kana uchichengeta mirairo yaJehovha Mwari wako, nokufamba munzira dzake.
28:10b.DEU.028.010 Vanhu vose venyika vachaona kuti iwe wakatumidzwa nezita raJehovha; vachakutya.
28:11b.DEU.028.011 Jehovha uchakuwanzira mufaro pazvibereko zvomuviri wako, napazvibereko zvemombe dzako, napazvibereko zvevhu rako, panyika yakapikirwa madzibaba ako naJehovha, kuti uchakupa iyo.
28:12b.DEU.028.012 Jehovha uchakuzarurira fuma yake yakanaka yokudenga, akupe mvura yenyika yako nenguva yayo; nokuropafadza mabasa ose amaoko ako; iwe uchapa ndudzi zhinji chikwerete.
28:13b.DEU.028.013 Jehovha uchakuita musoro, haangakuiti muswe; uchava kumusoro bedzi, haungavi pasi; kana uchiteerera mirairo yaJehovha Mwari wako, yandinokuraira nhasi, uchishingaira kuiita;
28:14b.DEU.028.014 usingatsauki pane rimwe ramashoko andinokuraira, kurudyi kana kuruboshwe, uchitevera vamwe vamwari kuti uvashumire.
28:15b.DEU.028.015 Asi kana uchiramba kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako kuti uchenjere kuita mirairo yake yose, nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi; kutukwa uku kwose kuchaitika kwauri, uchatevererwa nako.
28:16b.DEU.028.016 Uchatukwa muguta, uchatukwa mumunda.
28:17b.DEU.028.017 Dengu rako richatukwa, nomudziyo wako wokukanyira chingwa.
28:18b.DEU.028.018 Zvibereko zvomuviri wako zvichatukwa, nezvibereko zvevhu rako, nezvibereko zvemhou dzako, namakwayana amakwai ako.
28:19b.DEU.028.019 Uchatukwa kana uchipinda, uchatukwa kana uchibuda.
28:20b.DEU.028.020 Jehovha uchatuma pamusoro pako kutukwa, nokunyonganiswa, nokurangwa, pazvose zvaunobata namaoko ako, kusvikira waparadzwa, uye kusvikira wakurumidza kupera, nokuda kwezvakaipa zvaunoita, zvawakandisiya nazvo.
28:21b.DEU.028.021 Jehovha uchakunamatidza denda, kusvikira akupedza kunyika kwaunoenda, kuti ive yako.
28:22b.DEU.028.022 Jehovha uchakurova norukosoro, nefivhiri, nokupisa kwomuviri, nokuvaviswa kwazvo, uye nokushaiwa mvura, nenyunje, nokuvhuva; izvo zvichakuteverera kusvikira waparadzwa.
28:23b.DEU.028.023 Denga rako riri pamusoro pako richaita sendarira, nenyika iri pasi pako sedare.
28:24b.DEU.028.024 Jehovha uchashandura mvura yenyika yako ive bukuta neguruva; zvichaburukira pamusoro pako zvichibva kudenga, kusvikira waparadzwa.
28:25b.DEU.028.025 Jehovha uchatendera kuti ukundwe navavengi vako; uchabuda kundorwa navo nenzira imwe, uchatiza pamberi pavo nenzira nomwe; uchava chinhu chinotyisa pakati poushe hwose hwenyika.
28:26b.DEU.028.026 Zvitunha zvako zvichava zvokudya zveshiri dzose dzokudenga nezvikara zvenyika, kusina munhu unozvidzinga.
28:27b.DEU.028.027 Jehovha uchakurova namamota namaronda, nemhizi, nokufunuka, zvicharamba kupora.
28:28b.DEU.028.028 Jehovha uchakurova nokupenga, noupofu, uye nokukanganiswa kwomoyo;
28:29b.DEU.028.029 uchatsvangadzira masikati, sebofu rinotsvangadzira murima, haungafari panzira dzako; ucharemedzwa nokubirwa nguva dzose, hakungavi nomunhu unokurwira.
28:30b.DEU.028.030 Uchanyenga mukadzi, asi mumwe murume uchavata naye; uchavaka dzimba, asi haungagarimo; ucharima munda wemizambiringa, asi haungadyi michero yayo.
28:31b.DEU.028.031 Mombe yako ichabayiwa uchizviona, asi haungaidyi; mbongoro yako ichatorwa nesimba uchizviona, asi haingadzoserwi kwauri; makwai ako achapiwa vavengi vako, haungawani unokurwira.
28:32b.DEU.028.032 Vanakomana vako navanasikana vako vachapiwa rumwe rudzi; meso ako achatarira, ukaneta kuvashuva zuva rose; asi uchashaiwa simba paruoko rwako.
28:33b.DEU.028.033 Zvibereko zvevhu rako, nezvamabasa ako, zvichadyiwa norudzi rwausingazivi; uchangoremedzwa nokutambudzwa nguva dzose.
28:34b.DEU.028.034 Uchapengeswa nezvauchaona nameso ako.
28:35b.DEU.028.035 Jehovha uchakurova pamabvi ako, napamakumbo ako, namamota anorwadza, acharamba kupora, kubva parutsoka kusvikira pamusoro pomusoro wako.
28:36b.DEU.028.036 Jehovha uchakuisa iwe namambo wako wauchazvitsaurira kurudzi rwawakanga usingazivi iwe namadzibaba ako; zvino uchandoshumirapo vamwe vamwari vamatanda namabwe.
28:37b.DEU.028.037 Iwe uchaitwa chishamiso, neshumo, nechiseko, pakati pavanhu vose kwauchandoiswa naJehovha.
28:38b.DEU.028.038 Uchatakurira mbeu zhinji kumunda, asi uchaunganidza zvishoma; nokuti zvichapedzwa nemhashu.
28:39b.DEU.028.039 Ucharima minda yemizambiringa nokuigadzira, asi haunganwi waini yayo, kana kutanha mazambiringa; nokuti achadyiwa namakonye.
28:40b.DEU.028.040 Uchava nemiti yemiorivhi panyika yako yose, asi haungazori mafuta ayo, nokuti miorivhi yako ichazuka.
28:41b.DEU.028.041 Uchabereka vanakomana navanasikana, asi havangavi vako, nokuti vachatapwa.
28:42b.DEU.028.042 Miti yako yose nezvibereko zvevhu rako zvichadyiwa nemhashu.
28:43b.DEU.028.043 Mutorwa ugere pakati pako ucharamba achikwirira kupfuura iwe; iwe ucharamba uchiderera.
28:44b.DEU.028.044 lye uchakupa chikwereti, asi iwe haungamupi chikwereti; iye uchava musoro, iwe uchava muswe.
28:45b.DEU.028.045 Kutukwa uku kwose kuchaitika kwauri, nokukutevera, nokukubata, kusvikira waparadzwa; nokuti hauna kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako, nokuchengeta mirairo yake nezvaakatema, zvaakakuraira.
28:46b.DEU.028.046 Zvichava pamusoro pako napamusoro pavana vako, zvive zviratidzo nezvishamiso nokusingaperi;
28:47b.DEU.028.047 nokuti hauna kushumira Jehovha Mwari wako nomufaro, nomoyo unofara, nokuda kwokuwanda kwezvose.
28:48b.DEU.028.048 Naizvozvo uchafanira kubatira vavengi vako, vauchatumirwa naJehovha kuti urwe navo , uchinzwa nzara nenyota, uchishaiwa zvokufuka nezvose izvi; iye uchaisa joko redare pamutsipa wako, kusvikira akuparadza.
28:49b.DEU.028.049 Jehovha achauyisa rudzi runobva kure kuzorwa newe, runobva kumagumisiro enyika, segondo rinobhururuka, rudzi rwausinganzwisisi rurimi rwarwo;
28:50b.DEU.028.050 rudzi rune hasha, rusingarangariri vatana, kana kunzwira majaya tsitsi.
28:51b.DEU.028.051 Vachadya zvibereko zvemombe dzako, nezvibereko zvevhu rako, kusvikira waparadzwa; havangakusiyiri zviyo, kana waini, kana mafuta, kana zvakaberekwa nemhou dzako, kana makwayana amakwai ako, kusvikira waparadzwa navo.
28:52b.DEU.028.052 Vachakukomba pamasuo ako ose, kusvikira masvingo ako marefu ane simba awa ose, awakatenda munyika yako yose; vachakukomba pamasuo ako ose panyika yako yose, yawakapiwa naJehovha Mwari wako.
28:53b.DEU.028.053 Uchadya zvibereko zvomuviri wako, nyama yavanakomana vako navanasikana vako, vawakapiwa naJehovha Mwari wako, kana wokombwa nokumanikidzwa navavengi vako.
28:54b.DEU.028.054 Murume unoundere nounounengwe kwazvo pakati pako uchava nomufungo wakaipa kuhama yake, nokumukadzi wake waanoda, nokuvana vake vaanenge asarirwa navo;
28:55b.DEU.028.055 haangapi mumwe wavo nyama yavana vake vaachadya, nokuti iye haangavi nechaakasarirwa nacho, kana wokombwa nokumanikidzwa navavengi vako pamasuo ako ose.
28:56b.DEU.028.056 Mukadzi unoundere nounounengwe pakati pako, wakanga asingadi kutsika pasi norutsoka rwake nokuda kwounengwe hwake noundere hwake, uchava nomufungo wakaipa kumurume wake waanoda, nemwanakomana wake, nomwanasikana wake;
28:57b.DEU.028.057 nokumwana wake muduku, waachangobereka, nokuvana vake vaachazobereka; nokuti uchadya pakavanda nokuda kwokushaiwa zvinhu zvose, kana wokombwa nokumanikidzwa navavengi vako pamasuo ako.
28:58b.DEU.028.058 Kana usingachenjeri kuita mashoko ose omurayiro uyu, akanyorwa mubhuku iyi, kuti utye zita iri rinobwinya nerinotyisa, rinoti: JEHOVHA MWARI WAKO;
28:59b.DEU.028.059 Jehovha uchakurova iwe navana vako namatambudziko anoshamisa, matambudziko makuru, asingakurumidzi kupera, namatenda akaipa, asingakurumidzi kupera.
28:60b.DEU.028.060 Uchauyisazve pamusoro pako hosha dzose dzeIjipiti, dzawakanga uchitya, kuti dzikunamatire.
28:61b.DEU.028.061 Namatenda ose, namatambudziko ose, asina kunyorwa mubhuku yomurayiro uyu, ndiwo achauyiswa naJehovha pamusoro pako, kusvikira waparadzwa.
28:62b.DEU.028.062 Muchasara mava vashoma, kunyange makanga muri vazhinji senyeredzi dzokudenga; nokuti hauna kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako.
28:63b.DEU.028.063 Zvino Jehovha sezvaakanga achikufarirai achida kukuitirai zvakanaka, nokukuwanzai, saizvozvo Jehovha uchafara pamusoro penyu kukupedzai nokukuparadzai; muchadzurwa kunyika kwaunoenda, kuti ive yako.
28:64b.DEU.028.064 Jehovha uchakurashanya pakati pendudzi dzose, kubva pamugumo mumwe wenyika kusvikira kuno mumwe mugumo; ipapo uchandoshumira vamwe vamwari vawakanga usingazivi, iwe namadzibaba ako, vamwari vamatanda navamabwe.
28:65b.DEU.028.065 Pakati pendudzi idzo haungawani zororo, netsoka dzako hadzingawani pokuzorora; asi Jehovha uchakupa ipapo moyo unowonda;
28:66b.DEU.028.066 upenyu hwako hucharembera pamberi pako, uchatya usiku namasikati, haungazivi kana uchararama;
28:67b.DEU.028.067 mangwanani uchati, Dai aiva madekwana! Madekwana uchati, Dai aiva mangwanani! Nokutya kwomoyo wako, zvauchaona nameso ako.
28:68b.DEU.028.068 Jehovha uchakuisazve Ijipiti nezvikepe nenzira yandakati kwauri, Hauchazoionizve; ipapo muchandozvitengesa kuvavengi venyu, kuti muve varanda navarandakadzi, asi hakungavi nomunhu uchakutengai.
29
29:1b.DEU.029.001 Ndiwo mashoko esungano yakarairwa Mozisi naJehovha, kuti aiite navana vaIsiraeri panyika yaMoabhu, kunze kwesungano yaakaita navo paHorebhu.
29:2b.DEU.029.002 Zvino Mozisi akadana vaIsiraeri vose, akati kwavari, Makaona zvose zvakaitwa naJehovha pamberi penyu panyika yeIjipiti kuna Farao navaranda vake vose, nokunyika yake yose;
29:3b.DEU.029.003 miidzo iya mikuru yamakaona nameso enyu, nezviratidzo, nezvishamiso zviya zvikuru.
29:4b.DEU.029.004 Asi Jehovha haana kukupai moyo inoziva, nameso anoona, nenzeve dzinonzwa kusvikira nhasi.
29:5b.DEU.029.005 Ndakakutungamirirai murenje makore ana makumi mana; nguvo dzenyu hadzina kukusakarirai, neshangu dzako hadzina kusakara patsoka dzako.
29:6b.DEU.029.006 Hamuna kudya chingwa, kana kunwa waini nezvinobata; kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
29:7b.DEU.029.007 Zvino makati muchisvika panzvimbo ino, Sihoni, mambo weHeshibhoni, naOgi, mambo weBhashani, vakauya kuzorwa nesu, tikavakunda;
29:8b.DEU.029.008 tikatora nyika yavo, tikaipa vaRubheni navaGadhi nehafu yorudzi rwaManase, kuti ive nhaka yavo.
29:9b.DEU.029.009 Naizvozvo chengetai mashoko esungano iyi, muiite, kuti mufare pazvose zvamunoita,
29:10b.DEU.029.010 Mumire nhasi mose pamberi paJehovha Mwari, vatungamiriri venyu, namarudzi enyu, navakuru venyu, navatariri venyu, ivo varume vose vaIsiraeri,
29:11b.DEU.029.011 nepwere dzenyu, navakadzi venyu, navatorwa vako vari pakati pemisasa yako, kubva pavatemi vehuni dzako kusvikira kuvacheri vemvura yako;
29:12b.DEU.029.012 kuti upinde pasungano yaJehovha Mwari wako, napakupika kwake kwaanokupikira nhasi iye Jehovha Mwari wako;
29:13b.DEU.029.013 kuti akusimbise nhasi uve rudzi rwake, iye ave Mwari wako, sezvaakataura kwauri, uye sezvaakapikira madzibaba ako, Abhurahamu, naIsaka, naJakobho.
29:14b.DEU.029.014 Handiiti sungano iyi nokupika uku nemi moga;
29:15b.DEU.029.015 asi naivo vamire pano nesu nhasi pamberi paJehovha Mwari wedu, uye navasipo nesu nhasi;
29:16b.DEU.029.016 (Nokuti munoziva kugara kwedu panyika yeIjipiti, nokufamba kwedu pakati pendudzi, dzamakapfuura pakati padzo,
29:17b.DEU.029.017 mukaona zvinonyangadza zvavo, nezvifananidzo zvavo zvamatanda nezvamabwe, nesirivha nendarama, zvakanga zviri pakati pavo;)
29:18b.DEU.029.018 kuti pakati penyu parege kuva nomurume, kana mukadzi, kana mhuri, kana rudzi, vanomoyo unotsauka kuna Jehovha Mwari wedu nhasi, kuti vandoshumira vamwari vendudzi idzo; kuti pakati penyu parege kuva nomudzi unobereka zvinouraya negavakava;
29:19b.DEU.029.019 zvino kana achinzwa mashoko okupika uku, azvirumbidze pamoyo wake, achiti, Ndichava norugare, kunyange ndichifamba hangu noukukutu hwomoyo wangu, kuti zvakanyorova nezvakaoma zviparadzwe pamwechete ;
29:20b.DEU.029.020 Jehovha haangamukanganwiri, asi nenguva iyo kutsamwa kwaJehovha neshungu dzake zvichapfungairira munhu uyo, nokutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iyi kuchamunamatira; Jehovha uchadzima zita rake pasi pokudenga.
29:21b.DEU.029.021 Jehovha uchamutsaurira zvakaipa zvose pakati pamarudzi ose alsiraeri, kuti atukwe nokutuka kwose kwesungano yakanyorwa mubhuku iyi yomurayiro.
29:22b.DEU.029.022 Zvino rudzi runotevera, ivo vana venyu vachamuka pashure penyu, navatorwa vanobva kunyika iri kure, kana vachiona matambudziko enyika iyo, namatenda aicharwadziswa nawo naJehovha;
29:23b.DEU.029.023 uye kuti nyika yose isuferi, nomunyu, nokutsva, kuti haidzvarwi, haimedzi, uye kuti uswa hahumerimo, sapakuparadzwa kweSodhoma neGomora, neAdhama neZebhoimu, aya maguta akaparadzwa naJehovha pakutsamwa kwake neshungu dzake;
29:24b.DEU.029.024 uye ndudzi dzose dzichati, Jehovha wakaitira nyika iyo saizvozvo neiko? Kupisa kwokutsamwa uku kukuru kunoti kudiniko?
29:25b.DEU.029.025 Zvino vanhu vachati, Nokuti vakasiya sungano yaJehovha Mwari wamadzibaba avo, yaakaita navo nguva yaakavabudisa panyika yeIjipiti;
29:26b.DEU.029.026 vakashumira vamwe vamwari, vakanamata kwavari, vamwari vavakanga vasingazivi, vavasina kupiwa naye;
29:27b.DEU.029.027 naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakamukira nyika iyi, kuti aituke nokutuka kwose kwakanyorwa mubhuku iyi.
29:28b.DEU.029.028 Jehovha akavadzipura panyika yavo nokutsamwa kwake neshungu dzake nehasha dzake huru, akavarashira kune imwe nyika, sezvazvakaita nhasi.
29:29b.DEU.029.029 Zvinhu zvakavanzwa ndezvaJehovha Mwari wedu; asi zvinhu zvakaratidzwa pachena ndezvedu, isu navana vedu nokusingaperi, kuti tiite mashoko ose omurayiro uyu.
30
30:1b.DEU.030.001 Zvino kana zvinhu izvi zvose zvichikuwira, iko kuropafadzwa nokutukwa, kwandakaisa pamberi pako, ukazvirangarira pakati pendudzi dzose, pawakadzingirwa naJehovha Mwari wako,
30:2b.DEU.030.002 ukadzokera kuna Jehovha Mwari wako, ukateerera inzwi rake, sezvandinokuraira zvose nhasi, iwe navana vako, nomoyo wako wose, nomweya wako wose;
30:3b.DEU.030.003 ipapo Jehovha Mwari wako uchashandura kutapwa kwako, nokukunzwira tsitsi, nokukuunganidzazve pandudzi dzose, kwaakakurashanyira kwadziri, iye Jehovha Mwari wako.
30:4b.DEU.030.004 Kunyange vamwe venyu vakanga vadzingirwa kumagumisiro okudenga, Jehovha Mwari wako uchakuunganidzapo, uchandokutorapo;
30:5b.DEU.030.005 Jehovha Mwari wako uchakuuyisa munyika, yakanga iri yamadzibaba ako, kuti ive yako; uchakuitira zvakanaka, nokukuwanza kupfuura madzibaba ako.
30:6b.DEU.030.006 Jehovha Mwari wako uchadzingisa moyo wako, nemoyo yavana vako, kuti ude Jehovha Mwari wako nomoyo wako wose, nomweya wako wose, kuti urarame.
30:7b.DEU.030.007 Jehovha Mwari wako uchatuka vavengi vako nokutuka uku kwose, navose vanokuvenga vanokutambudza.
30:8b.DEU.030.008 Zvino iwe uchadzoka nokuteerera inzwi raJehovha, nokuita mirairo yake yose, yandinokuraira nhasi.
30:9b.DEU.030.009 Jehovha Mwari wako uchawanza zvinobatwa namaoko ako, nezvibereko zvomuviri wako, nezvibereko zvemombe dzako, nezvibereko zvevhu rako, kuti zvifare; nokuti Jehovha uchakufarirazve zvakanaka, sezvaakafarira madzibaba ako;
30:10b.DEU.030.010 kana uchiteerera inzwi raJehovha Mwari wako, nokuchengeta mirairo yake nezvaakatema, zvakanyorwa mubhuku iyi yomurayiro; kana ukadzokera kuna Jehovha Mwari wako nomoyo wako wose nomweya wako wose.
30:11b.DEU.030.011 Nokuti murayiro uyu wandinokuraira nhasi haungakuremeri zvikuru, uye hauzi kure.
30:12b.DEU.030.012 Hauzi kudenga, kuti uti, Ndianiko uchatikwirira kudenga, kundotitorera iwo, nokutinzwisa iwo, kuti tiuite?
30:13b.DEU.030.013 Hauzi mhiri kwegungwa, kuti uti, Ndianiko uchatiyambukira mhiri kwegungwa, andotitorera iwo, nokutinzwisa iwo, tiuite?
30:14b.DEU.030.014 Asi shoko riri pedo kwazvo newe, mumuromo mako, nomumoyo mako, kuti uriite.
30:15b.DEU.030.015 Tarira ndaisa pamberi pako nhasi upenyu nezvakanaka, norufu nezvakaipa.
30:16b.DEU.030.016 Zvandinokuraira nhasi ndizvo, kuti ude Jehovha Mwari wako, nokufamba munzira dzake, nokuchengeta mirairo yake nezvaakatema nezvaakatonga, kuti urarame, uwande, uye kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze kunyika kwaunoenda kwairi, kuti ive yako.
30:17b.DEU.030.017 Asi kana moyo wako ukatsauka, ukaramba kuteerera, ukatsauswa kunamata vamwe vamwari nokuvashumira,
30:18b.DEU.030.018 ndinokuudzai nhasi, kuti muchaparadzwa zvirokwazvo; hamungavi namazuva mazhinji kunyika kwaunoyambukira nhasi, kuti ive yako.
30:19b.DEU.030.019 Ndinodana kudenga napasi kukupupurirai nhasi, kuti ndaisa pamberi pako upenyu norufu, kuropafadzwa nokutukwa; naizvozvo tsaura upenyu, kuti urarame, iwe navana vako;
30:20b.DEU.030.020 kuti ude Jehovha Mwari wako, nokuteerera inzwi rake, nokumunamatira; nokuti ndihwo upenyu hwako, nokuwanzwa kwamazuva ako; kuti ugare munyika yakapikira Jehovha madzibaba ako, Abhurahamu nalsaka naJakobho, kuti uchavapa iyo.
31
31:1b.DEU.031.001 Zvino Mozisi akaenda kundotaura mashoko awa kuvaIsiraeri vose,
31:2b.DEU.031.002 akati kwavari, Ndava namakore ane zana namakumi maviri nhasi, handichagoni kubuda nokupinda; zvino Jehovha wakati kwandiri, Iwe haungayambuki Jorodhani urwu.
31:3b.DEU.031.003 Jehovha Mwari wako ndiye uchakutungamirira pakuyambuka; iye uchaparadza ndudzi idzi dzose pamberi pako, dzichava dzako; Joshua ndiye uchakutungamirira pakuyambuka, sezvakataurwa naJehovha.
31:4b.DEU.031.004 Jehovha uchavaitira ivo sezvaakaitira Sihoni naOgi, madzimambo avaAmori, nenyika yavo, vaakaparadza.
31:5b.DEU.031.005 Jehovha uchavaisa mumaoko enyu, nemi munofanira kuvaitira zvose sezvandakakurairai.
31:6b.DEU.031.006 Simbai, mutsunge moyo, musatya kana kuvhunduswa navo; nokuti Jehovha Mwari wako ndiye unoenda newe, haangakuregi, haangakusiyi.
31:7b.DEU.031.007 Zvino Mozisi akadana Joshua, akati kwaari pamberi pavaIsiraeri vose, simba, utsunge moyo, nokuti iwe uchaenda navanhu ava panyika yakapikirwa madzibaba avo naJehovha, kuti uchavapa iyo; iwe uchavagarisa nhaka iyo.
31:8b.DEU.031.008 Jehovha ndiye unokutungamirira, iye uchava newe, haangakuregi, haangakusiyi; usatya kana kuvhunduswa. Murayiro unofanira kurabwa kana makore manomwe apera
31:9b.DEU.031.009 Zvino Mozisi akanyora murayiro uyu, akaupa vapirisiti navana vaRevhi, vaitakura areka yesungano yaJehovha, navakuru vose vaIsiraeri.
31:10b.DEU.031.010 Mozisi akavaraira, akati, Nguva dzose pakupera kwamakore manomwe, panguva yakatarwa pagore resununguro, pamutambo wemisasa,
31:11b.DEU.031.011 kana vaIsiraeri vose vauya kuzviratidza pamberi paJehovha Mwari wako panzvimbo ichatsaurwa naye, unofanira kurava murayiro uyu pamberi pavaIsiraeri vose, vaunzwe.
31:12b.DEU.031.012 Unganidza vanhu, varume navakadzi, nepwere, navatorwa vako vari pakati pamasuo ako, kuti vanzwe, vadzidze, vatye Jehovha Mwari wenyu, vachenjere kuita mashoko ose omurayiro uyu;
31:13b.DEU.031.013 uye kuti vana vavo vakanga vasingazivi vanzwe, vadzidze kutya Jehovha Mwari wenyu, nguva yose yamuchazogara panyika yamunoyambuka Jorodhani kwairi, kuti ive yenyu. Valsiraeri vachatsauka panzira dzaJehovha
31:14b.DEU.031.014 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tarira, mazuva okufa kwako aswedera; dana Joshua mundomira mutende rokusangana, kuti ndimuraire iye. Mozisi naJoshua vakandomira mutende rokusangana.
31:15b.DEU.031.015 Jehovha akazviratidza muTende mushongwe yegore, shongwe yegore ikamira pamusoro pomukova weTende.
31:16b.DEU.031.016 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, Tarira, iwe uchavata namadzibaba ako; zvino vanhu ava vachasimuka ndokupata vachitevera vamwari vavatorwa venyika, kwavanondogara pakati pavo; vachandisiya, nokuputsa sungano yandakaita navo.
31:17b.DEU.031.017 Zvino kutsamwa kwangu kuchavamukira nenguva iyo, ndichavasiya nokuvavanzira chiso changu, vachaparadzwa, nezvakaipa zvizhinji nenhamo zhinji zvichavawira; naizvozvo nenguva iyo vachati, Ko zvinhu zvakaipa izvi hazvina kutiwira nokuti Mwari wedu haazi pakati pedu here?
31:18b.DEU.031.018 Nenguva iyo ndichavanza chiso changu nokuda kwezvakaipa zvose zvavakaita pakutsaukira kwavo kuna vamwe vamwari.
31:19b.DEU.031.019 Naizvozvo zvino munofanira kuzvinyorera rwiyo urwu rundipupurire kuvana vaIsiraeri.
31:20b.DEU.031.020 Nokuti kana ndavapinza panyika yandakapikira madzibaba avo, iyo inoyerera mukaka nouchi, ivo vakadya, vakaguta, vakakora, ipapo vachatsaukira kuna vamwe vamwari nokuvashumira, vakandizvidza ini, nokuputsa sungano yangu.
31:21b.DEU.031.021 Zvino kana zvakaipa zvizhinji nenhamo zhinji zvikavawira, rwiyo urwu ruchava chapupu kupupura pamberi pavo; nokuti harungakanganikwi pamiromo yavana vavo, nokuti ndinoziva ndangariro dzavanoruka nhasi, ndichigere kuvapinza panyika yandakavapikira.
31:22b.DEU.031.022 Naizvozvo Mozisi wakanyora rwiyo urwu nomusi iwoyo, akarudzidzisa vana vaIsiraeri.
31:23b.DEU.031.023 Akaraira Joshua, mwanakomana waNuni, akati, Simba, utsunge moyo, nokuti iwe uchapinza vana vaIsiraeri panyika yandakavapikira; neni ndichava newe.
31:24b.DEU.031.024 Zvino Mozisi wakati apedza kunyora mashoko omurayiro uyu mubhuku, kusvikira apera,
31:25b.DEU.031.025 Mozisi akaraira vaRevhi, vaitakura areka yesungano yaJehovha, akati,
31:26b.DEU.031.026 Torai bhuku iyi yomurayiro, muiise parutivi rweareka yesungano yaJehovha Mwari wenyu, kuti ikupupurirepo.
31:27b.DEU.031.027 Nokuti ndinoziva kusanzwa nokusateerera kwenyu; tarirai, ini ndichiri mupenyu pakati penyu nhasi, makamukira Jehovha; hamuchanyanyisi here kana ndafa?
31:28b.DEU.031.028 Unganidzai kwandiri vakuru vose vamarudzi enyu, navatariri venyu, kuti vanzwe ndichitaura mashoko awa nokudana denga napasi zvivapupurire.
31:29b.DEU.031.029 Nokuti ndinoziva kuti kana ndafa muchazvishatisa kwazvo, nokutsauka panzira yandakakurairai; zvakaipa zvichakuwirai pamazuva okupedzisira, nokuti makaita zvakaipa pamberi paJehovha, muchimutsamwisa namabasa amaoko enyu.
31:30b.DEU.031.030 Zvino Mozisi akataura mashoko orwiyo urwu, kusvikira apera, ungano yose ichizvinzwa.
32
32:1b.DEU.032.001 Inzwa iwe denga, ndichataura; Nenyika ngainzwe mashoko omuromo wangu;
32:2b.DEU.032.002 Kudzidzisa kwangu kuchadonha semvura, Kutaura kwangu kuchayerera sedova, Seguti pabumhudza nyoro, Sokupfunha kwemvura pauswa;
32:3b.DEU.032.003 Nokuti ndichaparidza zita raJehovha; Rumbidzai ukuru hwaMwari wedu.
32:4b.DEU.032.004 Iye ndiro dombo, basa rake rakakwana; Nokuti nzira dzake dzose dzakarurama. Ndiye Mwari wakatendeka, usinganyengeri, Wakarurama, ndowazvokwadi.
32:5b.DEU.032.005 Vakamuitira zvakashata, havazi vana vake, ndiko kuremara kwavo; Ivo rudzi rwakatsauka, rwakakombama.
32:6b.DEU.032.006 Munoripira Jehovha saizvozvo here, Nhai, imwi mapenzi asina kungwara? Ko haazi baba vako vakakubereka here? Ndiye wakakuita, nokukusimbisa.
32:7b.DEU.032.007 Rangarira mazuva ekare, Funga makore amarudzi mazhinji; Bvunza baba vako, ndivo vachakuratidza; Navatana vako, ndivo vachakuudza.
32:8b.DEU.032.008 Wokudenga-denga nguva yaakapa ndudzi nhaka yadzo, Nguva yaakaparadzanisa vana vavanhu, Wakatema miganhu yendudzi Achirangarira kuwanda kwavana valsiraeri.
32:9b.DEU.032.009 Nokuti mugove waJehovha ndivo vanhu vake; Jakobho ndiyo nhaka yake yakayerwa.
32:10b.DEU.032.010 Wakamuwana munyika yesango, Murenje risina chinhu, rinotyisa; Wakamukomberedza, nokumutarira, Nokumuchengeta semboni yeziso rake;
32:11b.DEU.032.011 Segondo rinomutsa vana varo, Richiengerera pamusoro pavana varo, Richitambanudza mapapiro aro, richivagamuchira, Richivabereka pamapapiro aro;
32:12b.DEU.032.012 Saizvozvo Jehovha, iye oga, wakamutungamirira, Kwakanga kusina mwari wokumwe kwaari.
32:13b.DEU.032.013 Wakamutasvisa panzvimbo dzakakwirira dzenyika, Wakadya michero yeminda; Wakamusvutidza uchi hunobva padombo, Namafuta anobva padombo romusarasara,
32:14b.DEU.032.014 Nomukaka wakafa wemhou, nomukaka wamakwai, Pamwechete namafuta amakwayana, Namakondohwe orudzi rwapaBhashani, nembudzi, Namafuta etsvo dzekoroni; Iwe wakanwa waini yeropa ramazambiringa.
32:15b.DEU.032.015 Asi Jeshuruni wakazokora, ndokupfura, Iwe wakakora, wakava mukobvu, ukava namafuta, Zvino iye akarasha Mwari wakamuita, Akazvidza dombo rakamuchengeta.
32:16b.DEU.032.016 Vakamugodoresa navamwari vokumwe, Vakamutsamwisa nezvinonyangadza;
32:17b.DEU.032.017 Vakabayira mweya yakaipa, yakanga isi Mwari, Vatsva vakanga vachangomuka, Zvakanga zvisingatyiwi namadzibaba enyu.
32:18b.DEU.032.018 Dombo, rakakubereka, haurirangariri, Wakakanganwa Mwari wakakupona.
32:19b.DEU.032.019 Jehovha wakazviona, akavarasha, Nokuti wakatsamwiswa navanakomana vake navanasikana vake.
32:20b.DEU.032.020 Akati, Ndichavavanzira chiso changu, Ndinoda kuona kuguma kwavo, kuti kwakadiniko; Nokuti ivo rudzi rwakatsauka kwazvo. Vana vasina kutendeka chose.
32:21b.DEU.032.021 Vakamutsa godo rangu nechinhu chisati chiri Mwari; Vakanditsamwisa nezvinhu zvavo zvisina maturo; Neniwo ndichavagodoresa navasati vari vanhu; Ndichavatsamwisa norudzi runopenga.
32:22b.DEU.032.022 Nokuti moto wakabatidzwa pakutsamwa kwangu, Unopisa kusvikira pasi kugomba ravakafa, Unoparadza nyika nezvibereko zvayo, Unotungidza nheyo dzamakomo.
32:23b.DEU.032.023 Ndichatutira njodzi pamusoro pavo, Ndichapedza miseve yangu ndichivapfura.
32:24b.DEU.032.024 Vachaonda nenzara, nokuparadzwa nokupisa kukuru, Nokuparadzwa kwakaisvoipa; Ndichatuma meno ezvikara kwavari, Pamwechete nomuti unouraya wezvinokambaira muguruva.
32:25b.DEU.032.025 Munondo uchavatorera kunze, Nokutyisa mudzimba dzomukati; Zvichaparadza jaya nemhandara, Mwana unomwa pamwechete navarume, vachena vhudzi.
32:26b.DEU.032.026 Ndakati, ndichavafuridzira kure, Ndichagumisa kurangarirwa kwavo pakati pavanhu;
32:27b.DEU.032.027 Dai ndisina kutya kutsamwa kwavavengi, Kuti vavengi vavo vasanzwisisa, Vakati, Ruoko rwedu ndirwo rwakakunda, Haazi Jehovha wakaita izvozvo zvose.
32:28b.DEU.032.028 Nokuti ivo rudzi rusina mano, Hakuna kunzwisisa pakati pavo.
32:29b.DEU.032.029 Dai vakanga vakachenjera, vangadai vakazvinzwisisa, Vangadai vakaona kuguma kwavo!
32:30b.DEU.032.030 Munhu mumwe ungadzinga seiko vanhu vane chiuru chezana, Navanhu vaviri vangatizisa seiko vanhu vane zviuru zvine gumi, Kana dombo ravo risina kuvatengesa, NaJehovha asina kuvaisa mumaoko avo?
32:31b.DEU.032.031 Nokuti dombo ravo harina kufanana nedombo redu, Kunyange vavengi vedu vamene vachitonga.
32:32b.DEU.032.032 Nokuti muzambiringa wavo wakabva pamuzambiringa weSodhoma, Napaminda yeGomora; Mazambiringa avo mazambiringa enduru, Masumbu awo anovava;
32:33b.DEU.032.033 Waini yavo uturu hwenyoka, Nouturu hunouraya kwazvo hwemhungu.
32:34b.DEU.032.034 Ko izvi hazvina kuunganidwza kwandiri here? Hazvina kufunhurwa pakati pefuma yangu here?
32:35b.DEU.032.035 Kutsiva ndokwangu, nokutsividza, Panguva yokutedzemuka kwetsoka dzavo; Nokuti zuva renjodzi yavo riri pedo, Nezvinhu zvichavawira zvichakurumidza kuuya.
32:36b.DEU.032.036 Nokuti Jehovha ucharuramisira vanhu vake, Nokunzwira varanda vake tsitsi, Kana achiona kuti simba ravo raenda, Uye kuti vapera vose,
32:37b.DEU.032.037 Zvino iye uchati, Vamwari vavo varipiko, Nedombo ravakanga vachivimba naro
32:38b.DEU.032.038 Ivo vaidya mafuta ezvibayiro zvavo, Vainwa waini yezvipiriso zvavo zvinodururwa. Ngavasimuke, vakubatsirei, Ngavave utiziro hwenyu.
32:39b.DEU.032.039 Tarirai zvino, muone kuti ndini iye, Hakuno mumwe mwari pamwechete neni; Ini ndinouraya, ini ndinoraramisa; Ini ndakakuvadza, ini ndinoporesa; Hakuna ungarwirwa paruoko rwangu.
32:40b.DEU.032.040 Nokuti ndinosimudzira ruoko rwangu kudenga, Ndichiti, Zvirokwazvo, noupenyu hwangu husingaperi,
32:41b.DEU.032.041 Kana ndarodza munondo wangu unobwinya, Noruoko rwangu rukabata kutonga, Ndichatsiva vavengi vangu, Nokutsividza vanondivenga.
32:42b.DEU.032.042 Ndichanyudza miseve yangu muropa, Munondo wangu uchadya nyama; Neropa ravakaurawa neravakatapwa, Neremisoro yavatungamiri vavavengi.
32:43b.DEU.032.043 Farai, imwi ndudzi, pamwechete navanhu vake, Nokuti uchatsiva ropa ravaranda vake, Nokutsividza vavengi vake, Nokudzikunura nyika yake navanhu vake.
32:44b.DEU.032.044 Zvino Mozisi akauya ndokutaura mashoko ose orwiyo urwu vanhu vachizvinzwa, iye naHoshea, mwanakomana waNuni.
32:45b.DEU.032.045 Mozisi akapedza kutaura mashoko awa ose kuvaIsiraeri vose;
32:46b.DEU.032.046 akati kwavari, teererai nemoyo yenyu mashoko ose andinokupupurirai nhasi, kuti muraire vana venyu, vagochenjera kuita mashoko ose omurayiro uyu.
32:47b.DEU.032.047 Nokuti hachizi chinhu chisina maturo kwamuri, asi ndihwo upenyu hwenyu; nechinhu ichi muchawedzera mazuva enyu panyika, yamunoyambuka Jorodhani kwairi, kuti ive yenyu.
32:48b.DEU.032.048 Zvino Jehovha wakataura naMozisi nomusi iwoyo, akati,
32:49b.DEU.032.049 Kwira pagomo iri reAbharimu, kugomo reNebho, riri panyika yaMoabhu, rakatarisana neJeriko, uone nyika yeKenani, yandinopa vana vaIsiraeri, ive yavo;
32:50b.DEU.032.050 ufire pagomo raunokwira ugosanganiswa navanhu vako; sezvakafa Aroni, mukuru wako, pagomo reHori, akasanganiswa navanhu vake;
32:51b.DEU.032.051 nokuti makaita nomutoo usina kutendeka kwandiri pakati pavana vaIsiraeri pamvura yeMeribha paKadheshi murenje reZini; nokuti hamuna kunditsaura pakati pavana vaIsiraeri.
32:52b.DEU.032.052 Nokuti uchaona hako nyika pamberi pako, asi haungapindipo panyika yandinopa vana vaIsiraeri.
33
33:1b.DEU.033.001 Zvino ndiko kuropafadza Mozisi, munhu waMwari, kwaakaropafadza nako vana vaIsiraeri, asati afa.
33:2b.DEU.033.002 Akati,Jehovha wakabva Sinai, Akavabudira achibva Seiri; Akapenya ari pagomo reParani, Akauya achibva pazviuru zvinegumi zvavatsvene; Paruoko rwake rworudyi pakanga pano murayiro womoto kwavari.
33:3b.DEU.033.003 Zvirokwazvo unoda ndudzi; Vatsvene vake vose vari paruoko rwenyu; Vakagara pasi patsoka dzenyu; Mumwe nomumwe uchagamuchira mashoko enyu.
33:4b.DEU.033.004 Mozisi wakatiraira murayiro, Ndiyo nhaka yeungano yaJakobho.
33:5b.DEU.033.005 Wakanga ari mambo paJeshuruni, Pakuungana kwavakuru vavanhu, Marudzi ose avaIsiraeri pamwechete.
33:6b.DEU.033.006 Rubheni ngaararame, arege kufa, Asi vanhu vake ngavave vashoma havo.
33:7b.DEU.033.007 Kuropafadzwa kwaJudha ndiko: Akati, Inzwai Jehovha inzwi raJudha, Mumusvitse kuvanhu vake; Wakavarwira namaoko ake; imwi muchamubatsira kurwa navavengi vake.
33:8b.DEU.033.008 Pamusoro paRevhi wakati, Tumimu yenyu neUrimi yenyu ndezva unodikanwa nemi,Iye wamakaidza paMasa, Wamakarwa naye pamvura yeMeribha;
33:9b.DEU.033.009 Iye wakati pamusoro pababa vake namai vake, handina kumuona; Nehama dzake haana kudzirangarira, Kana kuziva vana vake, Nokuti vakaita shoko renyu, Nokuchengeta sungano yenyu.
33:10b.DEU.033.010 Vachadzidzisa Jakobho zvamakatonga, NaIsiraeri murayiro wenyu; Vachaisa zvinonhuwira pamberi penyu, Nezvipiriso zvinopiswa zvakakwana paaritari dzenyu.
33:11b.DEU.033.011 Jehovha, ropafadzai simba rake, Gamuchirai basa ramaoko ake; Gurai zviuno zvavanomumukira, Nezvavanomuvenga, kuti varege kusimukazve.
33:12b.DEU.033.012 Pamusoro paBhenjamini wakati, Mudikanwa waJehovha uchagara kwaari akachengetwa; Unomufukidza zuva rose, Unogara pakati pamafudzi ake.
33:13b.DEU.033.013 Pamusoro paJosefa wakati, Nyika yake ngairopafadzwe naJehovha, Ipiwe zvinhu zvakanakisa zvokudenga, nedova, Nemvura inogara makadzika;
33:14b.DEU.033.014 Nezvinhu zvakanakisa zvezvibereko zvezuva,Nezvinhu zvakanakisa zvinomedzwa nomwedzi;
33:15b.DEU.033.015 Nezvinhu zvakanaka zvamakomo ekare, Nezvinhu zvakanakisa zvezvikomo zvisingaperi,
33:16b.DEU.033.016 Nezvinhu zvakanakisa zvenyika nokuzara kwayo, Nomoyo wakanaka waiye wakanga agere mugwenzi; Kuropafadzwa ngakuuye pamusoro waJosefa, Napamusoro pomusoro waiye wakatsaurwa pakati pehama dzake.
33:17b.DEU.033.017 Mwana wemhongora wemombe dzake, ndihwo umambo hwake; Nyanga dzake inyanga dzenyati; Nadzo uchabaya ndudzi dzose dzavo, namagumisiro enyika; Ndivo vane zviuru zvamazana zvine gumi zvaEfuremu, Ndivo vane zviuru zvaManase.
33:18b.DEU.033.018 Pamusoro paZebhuruni wakati, Chifara, Zebhuruni, pakubuda kwako, Newe Isakari, pamatende ako.
33:19b.DEU.033.019 Vachadanira vanhu kumakomo; Ipapo vachauya nezvibayiro zvokururama; Nokuti vachanwa fuma zhinji yamakungwa, Nefuma zhinji yakavanzwa nejecha.
33:20b.DEU.033.020 Pamusoro paGadhi wakati, Unokurisa Gadhi ngaaropafadzwe; Iye unogara seshumbakadzi, Unobvambura ruoko, kunyange nomusoro.
33:21b.DEU.033.021 Wakazvitsaurira mugove wokutanga; Nokuti ndipapo pakachengetwa mugove womubati; Wakauya navakuru vavanhu; Wakaita zvakarurama zvaJehovha, Nezvaakatonga pamusoro paIsiraeri.
33:22b.DEU.033.022 Pamusoro paDhani wakati, Dhani ndiye mwana weshumba, Unokwakuka achibva Bhashani.
33:23b.DEU.033.023 Pamusoro paNafutari wakati, Iwe Nafutari, wakaguta nyasha, Uzere nokuropafadzwa naJehovha; Tora mavirazuva nenyasi zvive zvako.
33:24b.DEU.033.024 Pamusoro paAsheri wakati, Asheri ngaaropafadzwe apiwe vana; Ngaadikanwe nehama dzake, Ngaanyike rutsoka rwake mumafuta.
33:25b.DEU.033.025 Zvipfigiso zvako zvichava zvamatare nendarira; Nesimba rako richaenzana namazuva ako.
33:26b.DEU.033.026 Iwe Jeshuruni, hakuna wakafanana naMwari, Iye unotasva denga kuti akubatsire, Napamusoro pamakore noukuru hwake.
33:27b.DEU.033.027 Mwari usingaperi ndihwo ugaro hwako, Pasi pako kuna maoko asingaperi; Iye wakadzinga vavengi pamberi pako, Akati, Paradzai.
33:28b.DEU.033.028 Isiraeri unogara akachengetwa, Tsime raJakobho riri roga, Panyika yezviyo newaini; Denga rake rose rinonisa dova.
33:29b.DEU.033.029 Isiraeri, iwe wakaropafadzwa; Ndiani wakatodzana newe, rudzi rwakachengetwa naJehovha? Ndiye nhovo inokubatsira, Nomunondo waunokudzwa nawo! Vavengi vako vachazviisa pasi pako,Newe uchatsika panzvimbo dzavo dzakakwirira.
34
34:1b.DEU.034.001 Zvino Mozisi wakabva pamapani okwaMoabhu, akakwira kugomo reNebho, pamusoro pePisiga, pakatarisana neJeriko. Jehovha akamuratidza nyika yose yeGiriyadhi, kusvikira Dhani;
34:2b.DEU.034.002 neNafutari yose, nenyika yaEfuremu naManase, nenyika yose yaJudha, kusvikira pagungwa rokumavirazuva;
34:3b.DEU.034.003 nenyika yezasi, neBani romupata weJeriko, guta remichindwe, kusvikira Zoari.
34:4b.DEU.034.004 Zvino Jehovha akati kwaari, Ndiyo nyika yandakapikira Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, ndichiti, Ndichaipa vana vako; ndikakuonesa iyo nameso ako, asi haungapindimo.
34:5b.DEU.034.005 Ipapo Mozisi muranda waJehovha akafirapo panyika yaMoabhu, sezvakataurwa naJehovha.
34:6b.DEU.034.006 Akamuviga pamupata panyika yaMoabhu, pakatarisana neBheti-peori, asi hapana munhu unoziva rinda rake kusvikira nhasi.
34:7b.DEU.034.007 Zvino Mozisi wakanga ana makore ane zana namakumi maviri pakufa kwake; meso ake akanga achigere kuonera madzerere, nesimba rake rakanga richigere kuderera.
34:8b.DEU.034.008 Vana vaIsiraeri vakachema Mozisi pamapani okwaMoabhu mazuva ana makumi matatu; naizvozvo mazuva avakachema pakuchema Mozisi akapera.
34:9b.DEU.034.009 Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, wakanga azere nomweya wokuchenjera; nokuti Mozisi wakanga aisa maoko ake pamusoro pake; vana vaIsiraeri vakamuteerera, vakaita sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
34:10b.DEU.034.010 Hakuna kuzomukazve muporofita pakati paIsiraeri wakafanana naMozisi, wakanga achizikanwa naJehovha, zviso zvakatarisana;
34:11b.DEU.034.011 pazviratidzo zvose nezvishamiso, paakatumwa naJehovha kundozviita panyika yeIjipiti, kuna Farao, nokuvaranda vake vose, nokunyika yake yose;
34:12b.DEU.034.012 napazvose zvakaitwa noruoko rwake rune simba, napakutyisa kukuru kwose, kwakaitwa naMozisi valsiraeri vose vachizviona.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Deuteronomy (Shona). Deuteronomy (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C563-A