Numbers (Shona)

Numbers (Shona)

1

1:1b.NUM.001.001 Zvino Jehovha akataura naMozisi murenje reSinai, patende rokusangana, nezuva rokutanga romwedzi wechipiri negore rechipiri rokubuda kwavo Ijipiti, akati,

1:2b.NUM.001.002 Verenga ungano yose yavana vaIsiraeri, mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avarume vose, mumwe nomumwe.

1:3b.NUM.001.003 Iwe naAroni muverenge mapoka avo, vana makore ana makumi maviri navanopfuura, vose pakati pavaIsiraeri vanogona kundorwa.

1:4b.NUM.001.004 Munofanira kuenda nomurume worudzi rumwe norumwe, mukuru weimba yamadzibaba ake.

1:5b.NUM.001.005 Ndiwo mazita avarume vanofanira kukubatsirai: WokwaRubheni, Erizuri, mwanakomana waShedheuri.

1:6b.NUM.001.006 WokwaSimiyoni, Sherumieri, mwanakomana waZurishadhai.

1:7b.NUM.001.007 WokwaJudha, Nashoni, mwanakomana waAminadhabhu.

1:8b.NUM.001.008 WokwaIsakari, Netaneri, mwanakomana waZuari.

1:9b.NUM.001.009 WokwaZebhuruni, Eriabhu, mwanakomana waHeroni.

1:10b.NUM.001.010 Vokuvana vaJosefa: WokwaEfuremu, Erishama, mwanakomana waAmihudhi; wokwaManase, Gamarieri, mwanakomana waPedhazuri.

1:11b.NUM.001.011 WokwaBhenjamini, Abhidhani, mwanakomana waGidheoni.

1:12b.NUM.001.012 WokwaDhani, Ahiezeri, mwanakomana waAmishadhai.

1:13b.NUM.001.013 WokwaAsheri, Pagieri, mwanakomana waOkirani.

1:14b.NUM.001.014 WokwaGadhi, Eriasafi, mwanakomana waDheueri.

1:15b.NUM.001.015 WokwaNafutari, Ahira, mwanakomana waEnani.

1:16b.NUM.001.016 Ndivo vakadanwa paungano, ari machinda amarudzi amadzibaba avo, vakuru vedzimba dzavaIsiraeri.

1:17b.NUM.001.017 Zvino Mozisi naAroni vakatora varume ava varehwa mazita avo,

1:18b.NUM.001.018 vakakoka vaIsiraeri vose nezuva rokutanga romwedzi wechipiri, ivo vakavarondedzera marudzi avo, mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avose vakanga vana makore ana makumi maviri navanopfuura, mumwe nomumwe.

1:19b.NUM.001.019 Akavaverenga murenje reSinai, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.

1:20b.NUM.001.020 Vokuvana vaRubheni, mwanakomana wedangwe waIsiraeri navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, mumwe nomumwe, varume vose vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,

1:21b.NUM.001.021 vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaRubheni vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvitanhatu namazana mashanu.

1:22b.NUM.001.022 Vokuvana vaSimiyoni, namarudzi avo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, vose vakaverengwa kwavari namazita avo, vose vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,

1:23b.NUM.001.023 vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaSimiyoni, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvipfumbamwe namazana matatu.

1:24b.NUM.001.024 Vokuvana vaGadhi, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vose vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,

1:25b.NUM.001.025 vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaGadhi, vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvishanu namazana matanhatu namakumi mashanu.

1:26b.NUM.001.026 Vokuvana vaJudha, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,

1:27b.NUM.001.027 vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaJudha, vakasvika zviuru zvina makumi manomwe nezvina namazana matanhatu.

1:28b.NUM.001.028 Vokuvana vaIsakari, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,

1:29b.NUM.001.029 vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaIsakari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu namazana mana.

1:30b.NUM.001.030 Vokuvana vaZebhuruni, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,

1:31b.NUM.001.031 vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaZebhuruni, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvinomwe namazana mashanu.

1:32b.NUM.001.032 Vokuvana vaJosefa, ivo vana vaEfuremu, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri, vose vaigona kundorwa,

1:33b.NUM.001.033 vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaEfuremu, vakasvika zviuru zvina makumi mana namazana mashanu.

1:34b.NUM.001.034 Vokuvana vaManase, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,

1:35b.NUM.001.035 vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaManase, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezviviri namazana maviri.

1:36b.NUM.001.036 Vokuvana vaBhenjamini, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,

1:37b.NUM.001.037 vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaBhenjamini, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezvishanu namazana mana.

1:38b.NUM.001.038 Vokuvana vaDhani, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,

1:39b.NUM.001.039 vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaDhani, vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu namazana manomwe.

1:40b.NUM.001.040 Vokuvana vaAsheri, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,

1:41b.NUM.001.041 vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaAsheri, vakasvika zviuru zvina makumi mana nechiuru chimwe, namazana mashanu.

1:42b.NUM.001.042 Vokuvana vaNafutari, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,

1:43b.NUM.001.043 vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaNafutari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvitatu namazana mana.

1:44b.NUM.001.044 Ndivo vakaverengwa, vakaverengwa naMozisi naAroni, namachinda avaIsiraeri, vaiva varume vane gumi navaviri, mumwe nomumwe panzvimbo yeimba yababa vake.

1:45b.NUM.001.045 Naizvozvo vose vakaverengwa vavana vaIsiraeri nedzimba dzamadzibaba avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa pakati pavaIsiraeri,

1:46b.NUM.001.046 vose vakaverengwa vakasvika zviuru zvina mazana matanhatu nezvitatu namazana mashanu namakumi mashanu.

1:47b.NUM.001.047 Asi vaRevhi, norudzi rwamadzibaba avo, havana kuverengwa pakati pavo.

1:48b.NUM.001.048 Nokuti Jehovha akanga ataura naMozisi akati,

1:49b.NUM.001.049 Asi vorudzi rwaRevhi voga usavaverenga, usavaverengera pakati pavana vaIsiraeri,

1:50b.NUM.001.050 asi vaRevhi uvagadze, vave varitariri vetabhenakeri yechipupuriro, nenhumbi dzayo dzose, nezvose zvayo; ndivo vanofanira kutakura tabhenakeri, nenhumbi dzayo dzose, nekushumirapo, nokukomba tabhenakeri nemisasa yavo.

1:51b.NUM.001.051 Zvino kana tabhenakeri ichipfuura mberi, vaRevhi ndivo vanofanira kuibvisa; uye kana tabhenakeri ichidzikwazve, vaRevhi ndivo vanofanira kuivaka; munhu asina kufanira anoswederako, anofanira kuurawa.

1:52b.NUM.001.052 Vana vaIsiraeri vanofanira kudzika matende avo, mumwe nomumwe pamisasa yovokwake, mumwe nomumwe pamureza wovokwake, vachiita mapoka avo.

1:53b.NUM.001.053 Asi vaRevhi vanofanira kudzika matende avo vachikomba tabhenakeri yechipupuriro, kuti rudzi rwavana vaIsiraeri rurege kutsamwirwa; vaRevhi vanofanira kubata mabasa etabhenakeri yechipupuriro.

1:54b.NUM.001.054 Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mozisi sezvaakarairwa naJehovha, ndizvo zvavakaita.

2

2:1b.NUM.002.001 Zvino Jehovha akataura naMozisi naAroni, akati,

2:2b.NUM.002.002 Vana vaIsiraeri vanofanira kudzika matende avo, mumwe nomumwe pamureza wowokwake, nezviratidzo zvedzimba dzamadzibaba avo; vanofanira kudzika matende avo vakatarisana netende rokusangana vakarikomba.

2:3b.NUM.002.003 Vanodzika kurutivi rwamabvazuva, nokunobuda zuva nako, vanofanira kuva vomureza wemisasa yaJudha, namapoka avo; Nashoni mwanakomana waAminadhabhu ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaJudha.

2:4b.NUM.002.004 Boka rake navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi manomwe nezvina namazana matanhatu.

2:5b.NUM.002.005 Vanodzika kurutivi rwavo vanofanira kuva vorudzi rwaIsakari; Netaneri, mwanakomana waZuari ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaIsakari.

2:6b.NUM.002.006 Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvina, namazana mana.

2:7b.NUM.002.007 Novorudzi rwaZebhuruni; Eriabhu, mwanakomana waHeroni, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaZebhuruni.

2:8b.NUM.002.008 Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvinomwe, namazana mana.

2:9b.NUM.002.009 Vose vakaverengwa vemisasa yaJudha vakanga vane zviuru zvine zana nezviuru zvina makumi masere nezvitanhatu namazana mana, namapoka avo. Ndivo vanofanira kutanga kusimuka.

2:10b.NUM.002.010 Kurutivi rwezasi ndiko kunofanira kuva nomureza wemisasa yaRubheni, namapoka avo; Erizuri, mwanakomana waShedheuri, ndiye unofanira kuva muchinda wavana vaRubheni.

2:11b.NUM.002.011 Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvitanhatu namazana mashanu.

2:12b.NUM.002.012 Rudzi rwaSimiyoni ndivo vanofanira kudzika kurutivi rwake; Sherumieri, mwanakomana waZurishadhai, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaSimiyoni.

2:13b.NUM.002.013 Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvipfumbamwe namazana matatu.

2:14b.NUM.002.014 worudzi rwaGadhi Eriasafi mwanakomana waReueri, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaGadhi.

2:15b.NUM.002.015 Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvinamakumi mana nezvishanu namazana matanhatu namakumi mashanu.

2:16b.NUM.002.016 Vose vakaverengwa pamisasa yaRubheni vakasvika zviuru zvine zana rimwe namakumi mashanu nechiuru chimwe namazana mana namakumi mashanu, namapoka avo. Ndivo vanofanira kusimuka rwechipiri.

2:17b.NUM.002.017 Zvino tende rokusangana rinofanira kusimuka pamwechete nemisasa yavaRevhi pakati pemisasa yose; nomutoo wavanodzika matende avo, vanofanira kusimuka saizvozvo, mumwe nomumwe panzvimbo yake, pamureza wake.

2:18b.NUM.002.018 Kurutivi rwamavirazuva kunofanira kuiswa mureza wemisasa yaEfuremu, namapoka avo; Erishama, mwanakomana waAmihudhi, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaEfuremu.

2:19b.NUM.002.019 Boka rake, navakaverengwa kwaari, vakasvika zviuru zvina makumi mana namazana mashanu.

2:20b.NUM.002.020 Rudzi rwaManase vanofanira kudzika kurutivi rwavo; Gamarieri, mwanakomana waPedhazuri, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaManase.

2:21b.NUM.002.021 Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezviviri namazana maviri.

2:22b.NUM.002.022 Norudzi rwaBhenjamini: Abhidhani, mwanakomana waGidheoni, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaBhenjamini.

2:23b.NUM.002.023 Boka rake, navose vakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezvishanu namazana mana.

2:24b.NUM.002.024 Vose vakaverengwa pamisasa yaEfuremu vakasvika zviuru zvine zana nezvisere nezana rimwe, namapoka avo. Ndivo vanofanira kusimuka rwechitatu.

2:25b.NUM.002.025 Kurutivi rwokumusoro kunofanira kuiswa mureza wemisasa yaDhani, namapoka avo; Ahiezeri, mwanakomana waAmishadhai, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaDhani.

2:26b.NUM.002.026 Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu nezviviri namazana manomwe.

2:27b.NUM.002.027 Rudzi rwaAsheri ndivo vanofanira kudzika kurutivi rwavo; Pagieri, mwanakomana waOkirani, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaAsheri.

2:28b.NUM.002.028 Boka rake navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mana nechimwe namazana mashanu.

2:29b.NUM.002.029 Norudzi rwaNafutari; Ahira, mwanakomana waEnani, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaNafutari.

2:30b.NUM.002.030 Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvitatu namazana mana.

2:31b.NUM.002.031 Vose vakaverengwa pamisasa yaDhani vakasvika zviuru zvine zana namakumi mashanu nezvinomwe namazana matanhatu. Ndivo vanofanira kusimuka pakupedzisira pamireza yavo.

2:32b.NUM.002.032 Ndivo vakaverengwa vavana vaIsiraeri nedzimba dzamadzibaba avo; vose vakaverengwa pamisasa yavo, namapoka avo, vakasvika zviuru zvina mazana matanhatu nezvitatu namazana mashanu namakumi mashanu.

2:33b.NUM.002.033 Asi vaRevhi havana kuverengwa pakati pavana vaIsiraeri, sezvakarairwa Mozisi naJehovha.

2:34b.NUM.002.034 Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mozisi sezvaakarairwa zvose naJehovha, saizvozvo vakadzika matende avo pamireza yavo, mumwe nomumwe pamhuri dzavo, padzimba dzamadzibaba avo.

3

3:1b.NUM.003.001 Zvino ndiwo marudzi aAroni naMozisi nomusi wakataura Jehovha nawo naMozisi pagomo reSinai:

3:2b.NUM.003.002 Ndiwo mazita avanakomana vaAroni: Wedangwe, Nadhabhi, tevere Abhihu naEreazari naltamari.

3:3b.NUM.003.003 Ndiwo mazita avanakomana vaAroni, vapirisiti vakazodzwa, vaakagadza kuti vashumire pabasa roupirisiti.

3:4b.NUM.003.004 Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa pamberi paJehovha nguva yavakauyisa moto usakafanira pamberi paJehovha murenje reSinai; vakanga vasina vana; asi Ereazari naItamari vakashumira pabasa roupirisiti pamberi paAroni, baba vavo.

3:5b.NUM.003.005 Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,

3:6b.NUM.003.006 Swededza rudzi rwaRevhi, uvaise pamberi paAroni mupirisiti, kuti vamushumire.

3:7b.NUM.003.007 Vanofanira kumubatira iye, nokubatira ungano yose pamberi petende rokusangana, kuti vapedzise mabasa etabhenakeri.

3:8b.NUM.003.008 Vanofanira kuchengeta nhumbi dzose dzetende rokusangana, nokubatira vana vaIsiraeri, kuti vapedzise mabasa etabhenakeri.

3:9b.NUM.003.009 Vanofanira kupa Aroni navanakomana vake vaRevhi; vakapiwa chose pakati pavana vaIsiraeri.

3:10b.NUM.003.010 Asi Aroni navanakomana vake unofanira kuvagadza, kuti vabate basa roupirisiti hwavo; asina kufanira, usaswederapo, anofanira kuurawa.

3:11b.NUM.003.011 Jehovha akataura naMozisi,

3:12b.NUM.003.012 Tarira ini ndomene ndakatora vaRevhi pakati pavana vaIsiraeri panzvimbo yamatangwe ose anotanga kuzarura chizvaro pakati pavana vaIsiraeri; vaRevhi ndavangu;

3:13b.NUM.003.013 nokuti matangwe ose ndaangu; musi wandakauraya matangwe ose panyika yeIjipiti, ndakazvitsaurira matangwe ose pavaIsiraeri, pavanhu napazvipfuwo; anofanira kuva angu; ndini Jehovha.

3:14b.NUM.003.014 Zvino Jehovha akataura naMozisi murenje reSinai akati,

3:15b.NUM.003.015 Verenga vana vaRevhi nedzimba dzamadzibaba avo, nemhuri dzavo; unofanira kuverenga varume vose vomwedzi mumwe navanopfuura.

3:16b.NUM.003.016 Ipapo Mozisi akavaverenga neshoko raJehovha sezvaakarairwa.

3:17b.NUM.003.017 Ndivo vanakomana vaRevhi namazita avo: Geshoni, naKohati, naMerari.

3:18b.NUM.003.018 Ndiwo mazita avanakomana vaGeshoni, nemhuri dzavo: Ribhini naShimei.

3:19b.NUM.003.019 Navanakomana vaKohati nemhuri dzavo: Amuramu naIzhari naHebhuroni naUzieri.

3:20b.NUM.003.020 Navanakomana vaMerari nemhuri dzavo: Mari naMushi. Ndidzo mhuri dzavaRevhi, nedzimba dzamadzibaba avo.

3:21b.NUM.003.021 Geshoni ndiye teteguru wavaRibhini navaShimei, ndidzo mhuri dzavaGeshoni.

3:22b.NUM.003.022 Vakaverengwa kwavari, vari varume vose vakaverengwa vomwedzi mumwe navanopfuura, vakasvika zviuru zvinomwe namazana mashanu.

3:23b.NUM.003.023 Mhuri dzavaGeshoni dzinofanira kudzika matende adzo shure kwetabhenakeri kumavirazuva.

3:24b.NUM.003.024 Eriasafi, mwanakomana waRaeri, ndiye anofanira kuva muchinda weimba yamadzibaba avaGeshoni.

3:25b.NUM.003.025 Vanakomana vaGeshoni vanofanira kuchengeta zvinhu izvi mutende rokusangana, tabhenakeri, netende, nechifukidzo chayo, nechidzitiro chomukova wetende rokusangana.

3:26b.NUM.003.026 Nezvirembedzwa zvoruvazhe, nechidzitiro chomukova woruvazhe, ruri patabhenakeri nokunhivi dzose dzeatari, namabote ayo, zvokubata mabasa ayo ose.

3:27b.NUM.003.027 Kohati ndiye tateguru wavaAmuramu, navaIzhari, navaHebhuroni, navaUzieri; ndidzo mhuri. dzavaKohati.

3:28b.NUM.003.028 Varume vose vomwedzi mumwe navanopfuura vakaverengwa vakasvika zviuru zvisere namazana matanhatu; ndivo vaibata mabasa paimba tsvene.

3:29b.NUM.003.029 Mhuri dzavanakomana vaKohati dzinofanira kudzika matende adzo kurutivi rwetebhenakeri nechenyasi

3:30b.NUM.003.030 Erizafani mwanakomana waUzieri, ndiye anofanira kuva muchinda weimba yamadzibaba emhuri dzavaKohati.

3:31b.NUM.003.031 Ivo vanofanira kuchengeta areka, netafura, nechigadziko chemwenje, nearitari, nenhumbi dzeimba tsvene, dzavanobata nadzo, nechidzitiro, namabasa ose ayo.

3:32b.NUM.003.032 Ereazari, mwanakomana waAroni mupirisiti, ndiye anofanira kuva muchinda wamachinda avaRevhi, iye anofanira kuva mutariri wavanobata mabasa paimba tsvene.

3:33b.NUM.003.033 Merari ndiye teteguru wavaMari navaMushi; ndidzo mhuri dzaMerari.

3:34b.NUM.003.034 Vakaverengwa kwavari, ivo varume vose vomwedzi mumwe navanopfuura, vakasvika zviuru zvitanhatu namazana maviri.

3:35b.NUM.003.035 Zurieri, mwanakomana waAbhihairi, ndiye anofanira kuva muchinda weimba yamadzibaba emhuri dzaMerari; ivo vanofanira kudzika matende avo kurutivi rwetabhenakeri nechokumusoro.

3:36b.NUM.003.036 Basa rakatarirwa vanakomana vaMerari nderokuchengeta matanda etabhenakeri, nembariro dzayo, nembiru dzayo, nezvigadziko zvadzo, nenhumbi dzayo dzose, namabasa ayo ose;

3:37b.NUM.003.037 nembiru dzaparuvazhe kunhivi dzose, nezvigadziko zvadzo, nembambo dzadzo, namabote adzo.

3:38b.NUM.003.038 Avo vanodzika matende avo pamberi petabhenakeri kumabvazuva pamberi petende rokusangana, kurutivi runobuda zuva, ndivo Mozisi naAroni navanakomana vake, vanobata basa renzvimbo tsvene, ndiro basa ravana vaIsiraeri; asina kufanira anoswederapo anofanira kuurawa.

3:39b.NUM.003.039 Vose vakaverengwa vavaRevhi, vakaverengwa naMozisi naAroni sezvakarairwa naJehovha, nemhuri dzavo, varume vose vomwedzi mumwe navanopfuura, vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri.

3:40b.NUM.003.040 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Verenga matangwe ose avarume avana vaIsiraeri vomwedzi mumwe navanopfuura, ugonyora kuwanda kwamazita avo.

3:41b.NUM.003.041 Zvino unofanira kunditorera vaRevhi (ndini Jehovha) panzvimbo yamatangwe ose avana vaIsiraeri, nemombe dzavaRevhi panzvimbo yavana vose vemhongora dzemombe dzavana vaIsiraeri.

3:42b.NUM.003.042 Mozisi akaverenga matangwe ose avana vaIsiraeri, sezvaakarairwa naJehovha.

3:43b.NUM.003.043 Namatangwe ose avarume namazita avanomwedzi mumwe navanopfuura vakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri namazana maviri namakumi manomwe namatatu.

3:44b.NUM.003.044 Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,

3:45b.NUM.003.045 Tora vaRevhi panzvimbo yamatangwe ose avana vaIsiraeri, nemombe dzavaRevhi panzvimbo yemombe dzavo; nokuti vaRevhi ndavangu; ndini Jehovha.

3:46b.NUM.003.046 Zvino kuti udzikunure matangwe ana mazana maviri namakumi manomwe namatatu avana vaIsiraeri, vanopfuura vaRevhi pakuwanda kwavo,

3:47b.NUM.003.047 unofanira kutora mashekeri mashanu kuno mumwe nomumwe; unofanira kuatora uchienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene (shekeri rina magera makumi maviri).

3:48b.NUM.003.048 Zvino unofanira kupa Aroni navanakomana vake mari iyo yokudzikunura avo vakapfuura pakaverengwa pakati pavo.

3:49b.NUM.003.049 Mozisi akatora mari yokudzikunura kuna ivo vakanga vakapfuura vakadzikunurwa navaRevhi;

3:50b.NUM.003.050 akatora mari iyi kumatangwe avana vaIsiraeri, mashekeri ane chiuru chimwe namazana matatu namakumi matanhatu namashanu, achienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene.

3:51b.NUM.003.051 Mozisi akapa Aroni navanakomana vake mari iyo yokudzikunura, seshoko raJehovha, sezvakarairwa Mozisi naJehovha.

4

4:1b.NUM.004.001 Zvino Jehovha akataura naMozisi naAroni akati,

4:2b.NUM.004.002 Verenga vanakomana vose vaKohati pakati pavana vaRevhi, nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo,

4:3b.NUM.004.003 vana makore ana makumi matatu navanopfuura, kusvikira pamakore makumi mashanu, vose vanopinda pabasa, kuti vaite basa mutende rokusangana.

4:4b.NUM.004.004 Ndiro basa ravanakomana vaKohati mutende rokusangana pazvinhu zvitsvene-tsvene:

4:5b.NUM.004.005 Kana ungano ichisimuka, Aroni anofanira kupinda navanakomana vake, vagobvisa chidzitiro, ndokufukidza areka yechipupuriro nacho.

4:6b.NUM.004.006 Zvino vanofanira kuisa pamusoro pazvo chokufukidzira chamatehwe amatenhe, ndokuwarira pamusoro pazvo mucheka mutema wose, zvino ndokupinza matanda okutakura nawo.

4:7b.NUM.004.007 Vanofanira kuwarirawo mucheka mutema patafura yechingwa chokuratidza, ndokuisa pamusoro payo midziyo, nembiya, nemikombe, nezvimbiya zvokudira nazvo; nechingwa chamazuva ose chinofanira kuva pamusoro payo.

4:8b.NUM.004.008 Zvino vanofanira kuwarira pamusoro pazvo mucheka mutsvuku, ndokuufukidza nechokufukidzira chamatehwe amatenhe, zvino ndokupinza matanda okutakura nawo.

4:9b.NUM.004.009 Vanofanira kutorawo mucheka mutema, vagofukidza nawo chigadziko chemwenje yokuvhenekesa nayo, nemwenje yacho, nembato dzacho, nendiro dzacho, nemidziyo yacho yose yamafuta, yavanobata nayo.

4:10b.NUM.004.010 Zvino vanofanira kuchiputira pamwechete nenhumbi dzacho dzose muchokufukidzira chamatehwe amatenhe, ndokuchiisa pamatanda.

4:11b.NUM.004.011 Vanofanira kuwarirawo mucheka mutema pamusoro pearitari yendarama, ndokuifukidza nechokufukidzira chamatehwe amatenhe, zvino ndokupinza matanda ayo okutakura nawo.

4:12b.NUM.004.012 Vanofanira kutorawo nhumbi dzose dzokubata nadzo paimba tsvene, vagodziputira mumucheka mutema, ndokudzifukidza nechokufukidzira chamatehwe amatenhe, ndokuzviisa pamatanda.

4:13b.NUM.004.013 Vanofanira kubvisawo madota paaritari, ndokuwarira pamusoro payo mucheka mushava,

4:14b.NUM.004.014 ndokuisa pamusoro payo nhumbi dzayo dzose, dzavanobata nadzo pairi, dzinoti: Zvaenga zvomoto, nezvikokovonho zvenyama, nefoshoro, nemidziyo, nhumbi dzose dzearitari, vagowarira pamusoro payo chokufukidzira chamatehwe amatenhe, ndokupinza matanda okutakura nawo.

4:15b.NUM.004.015 Zvino kana Aroni navanakomana vake vapedza kufukidza imba tsvene, nenhumbi dzose dzeimba tsvene, kana ungano ichida kusimuka, zvino vanakomana vaKohati vanofanira kuuya kuitakura, asi ngavarege kubata zvinhu zvitsvene, kuti varege kufa. Zvinhu izvi ndizvo zvinofanira kutakurwa navanakomana vaKohati patende rokusangana.

4:16b.NUM.004.016 Basa raEreazari, mwanakomana waAroni mupirisiti, nderamafuta okuvhenekesa nawo, nezvinonhuwira zvakanaka, nechipiriso choupfu chamazuva ose, namafuta okuzodza nawo, nokuchengeta tabhenakeri yose nezvose zvirimo, neimba tsvene, nenhumbi dzayo.

4:17b.NUM.004.017 Zvino Jehovha akataura naMozisi naAroni akati,

4:18b.NUM.004.018 Rudzi rwemhuri dzavaKohati ngarurege kuparadzwa pakati pavaRevhi;

4:19b.NUM.004.019 asi muvaitire izvi kuti vararame, varege kufa, kana vachiswedera kuzvinhu zvitsvene-tsvene; Aroni navanakomana vake vanofanira kupinda nokuvagadza, mumwe nomumwe, pabasa rake napamutoro wake.

4:20b.NUM.004.020 Asi ngavarege kupinda kundoona imba tsvene, kunyange iri nguva duku, kuti varege kufa.

4:21b.NUM.004.021 Jehovha akataura naMozisi akati,

4:22b.NUM.004.022 Verenga vanakomana vose vaGeshoni, dzimba dzamadzibaba avo, nemhuri dzavo.

4:23b.NUM.004.023 Uverenge vanamakore makumi matatu navanopfuura kusvikira makore makumi mashanu; vose vanopinda kundobata basa, kubata mutende rokusangana.

4:24b.NUM.004.024 Ndiro basa remhuri dzavaGeshoni pakubata napakutakura mitoro:

4:25b.NUM.004.025 Ivo vanofanira kutakura machira etabhenakeri, netende rokusangana; nechokufukidzira chayo, nechokufukidzira chamatehwe amatenhe, chiri pamusoro payo, nechidzitiro chomukova wetende rokusangana;

4:26b.NUM.004.026 nezvirembedzwa zvoruvazhe, nechidzitiro chomukova wesuo roruvazhe, ruri patabhenakeri nokunhivi dzose dzearitari, namabote azvo, nenhumbi dzazvo dzose dzinobata mabasa azvo, nezvose zvinobatwa nazvo, ndiro basa ravo.

4:27b.NUM.004.027 Mabasa ose avanakomana vaGeshoni, zvose zvavanofanira kutakura nezvavanofanira kubata, zvinofanira kurairwa naAroni navanakomana vake; munofanira kuvagadza pabasa ravo rose rokutakura.

4:28b.NUM.004.028 Ndiro basa remhuri dzavana vaGeshoni patende rokusangana; pabasa ravo rose vanofanira kurairwa naItamari, mwanakomana waAroni mupirisiti.

4:29b.NUM.004.029 Kana vari vanakomana vaMerari, unofanira kuvaverenga nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo.

4:30b.NUM.004.030 Uverenge vana makore makumi matatu navanopfuura kusvikira makore makumi mashanu, mumwe nomumwe, vose vanopinda pabasa, kubata basa retende rokusangana.

4:31b.NUM.004.031 Ndiro basa ravo rokutakura, sezvavanofanira kubata mutende rokusangana: Matanda etabhenakeri, nembariro dzayo, nembiru dzayo, nezvigadziko zvayo;

4:32b.NUM.004.032 nembiru dzoruvazhe rwakapotedza, nezvigadziko zvadzo, nembambo dzadzo dzose, namabote adzo, nenhumbi dzadzo dzose, nezvose zvavanobata nazvo; unofanira kuvaritarira namazita avo nhumbi dzavanofanira kuchengeta pakutakura.

4:33b.NUM.004.033 Ndiro basa remhuri dzavanakomana vaMerari, sezvavaifanira kubata basa mutende rokusangana, vachirairwa naItamari, mwanakomana waAroni mupirisiti.

4:34b.NUM.004.034 Zvino Mozisi naAroni namachinda eungano vakaverenga vanakomana vaKohati nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo;

4:35b.NUM.004.035 vakanga vana makore makumi matatu navanopfuura kusvikira pamakore makumi mashanu, mumwe nomumwe vose vaifanira kupinda pabasa, kubata basa mutende rokusangana;

4:36b.NUM.004.036 vakaverengwa kwavari nemhuri dzavo vakasvika zviuru zviviri namazana manomwe namakumi mashanu.

4:37b.NUM.004.037 Ndivo vakaverengwa vemhuri dzavaKohati, vose vakanga vachibata basa mutende rokusangana, vakaverengwa naMozisi naAroni, sezvakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi.

4:38b.NUM.004.038 Vakaverengwa vavanakomana vaGeshoni nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo,

4:39b.NUM.004.039 vakanga vana makore makumi matatu navanopfuura kusvikira pamakore makumi mashanu, mumwe nomumwe aifanira kupinda pabasa, kubata basa mutende rokusangana,

4:40b.NUM.004.040 vakaverengwa kwavari nemhuri dzavo nedzimba dzamadzibaba avo, vakasvika zviuru zviviri namazana matanhatu namakumi matatu.

4:41b.NUM.004.041 Ndivo vakaverengwa vemhuri dzavana vaGeshoni, vose vakanga vachibata basa mutende rokusangana, vakaverengwa naMozisi naAroni, sezvakarairwa naJehovha.

4:42b.NUM.004.042 Vakaverengwa vemhuri dzavanakomana vaMerari, nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo,

4:43b.NUM.004.043 vakanga vana makore makumi matatu navanopfuura kusvikira pamakore makumi mashanu, mumwe nomumwe aifanira kupinda pabasa, kubata basa mutende rokusangana;

4:44b.NUM.004.044 vakaverengwa kwavari nemhuri dzavo, vakasvika zviuru zvitatu namazana maviri.

4:45b.NUM.004.045 Ndivo vakaverengwa vemhuri dzavanakomana vaMerari, vakaverengwa naMozisi naAroni, sezvakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi.

4:46b.NUM.004.046 Zvino vose vakaverengwa vavaRevhi, vakaverengwa naMozisi naAroni namachinda avaIsiraeri, nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo,

4:47b.NUM.004.047 vakanga vana makore makumi matatu navanopfuura, kusvikira pamakore makumi mashanu, mumwe nomumwe aifanira kupinda kuzobata basa, nebasa rokutakura mitoro mutende rokusangana,

4:48b.NUM.004.048 vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvisere namazana mashanu namakumi masere.

4:49b.NUM.004.049 Vakaverengwa sezvakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi, mumwe nomumwe pabasa rake, napamutoro wake; vakaverengwa saizvozvo naye, sezvakarairwa Mozisi naJehovha.

5

5:1b.NUM.005.001 Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,

5:2b.NUM.005.002 Raira vaIsiraeri kuti vabudise pakati pemisasa vose vana maperembudzi, navose vane hosha yokuyerera, navose vakasvibiswa navakafa.

5:3b.NUM.005.003 Munofanira kubudisa vose, varume navakadzi; muvabudise kunze kwemisasa, kuti varege kusvibisa misasa yavo, yandigere pakati payo.

5:4b.NUM.005.004 Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; vakavabudisa kunze kwemisasa, sezvakataura Jehovha naMozisi, ndizvo zvakaita vana vaIsiraeri. Zvakabiwa zvinofanira kudzoswa

5:5b.NUM.005.005 Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,

5:6b.NUM.005.006 Taura navana vaIsiraeri, uti, Kana murume kana mukadzi achinge atadza nokutadza kwavanhu, akatadzira Jehovha, munhu uyu akava nemhosva;

5:7b.NUM.005.007 Ipapo anofanira kureurura zvivi zvake zvaakaita, ndokuripira mhosva yake yose, achiwedzera cheshanu chayo, ndokupa iye waakatadzira.

5:8b.NUM.005.008 Kana munhu uyo asina hama, ingaripirwa pamusoro pemhosva iyo, muripo wemhosva, unoripirwa Jehovha, unofanira kuva womupirisiti, kunze kwegondohwe rokuyananisira, raanofanira kuyananisirwa naro.

5:9b.NUM.005.009 Nezvipiriso zvinotsaurwa pazvinhu zvitsvene zvose zvavana valsiraeri, zvavanouya nazvo kumupirisiti, zvinofanira kuva zvake.

5:10b.NUM.005.010 Zvinhu zvakatsaurwa zvomunhu mumwe nomumwe zvinofanira kuva zvake; chinhu chipi nechipi chinopiwa mupirisiti nomunhu chinofanira kuva chake. Kana murume ane shungu nomukadzi wake

5:11b.NUM.005.011 Jehovha akataura naMozisi akati,

5:12b.NUM.005.012 Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, Kana mukadzi womurume upi noupi akachinya, akamutadzira,

5:13b.NUM.005.013 mumwe murume akavata naye, zvikavanzwa kumurume wake, zvikasazikanwa, iye akasvibiswa, asi vakashaiwa chapupu, naiye asina kubatwa achiita izvozvo;

5:14b.NUM.005.014 murume wake akabatwa nomweya weshungu, akava neshungu nomukadzi wake, wakasvibiswa kana zvimwe akabatwa nomweya weshungu, akava neshungu nomukadzi wake, usina kusvibiswa;

5:15b.NUM.005.015 ipapo murume anofanira kuuya nomukadzi wake kumupirisiti, achiuyawo nechipo chake pamusoro pake, chinoti,chegumi choupfu hwebhari; haafaniri kudira mafuta pamusoro pahwo, kana kuisa zvinonhuwira pamusoro pahwo; nokuti icho chipiriso choupfu cheshungu, chipiriso choupfu chokurangaridza, chinorangaridza zvakaipa.

5:16b.NUM.005.016 Zvino muPirisita anofanira kumuswededza, ndokumuisa pamberi paJehovha

5:17b.NUM.005.017 Ipapo mupirisiti anofanira kutora mvura tsvene mumudziyo wevhu, mupirisiti agotorawo guruva riri pasi mutabhenakeri, ndokuriisa mumvura.

5:18b.NUM.005.018 Zvino mupirisiti anofanira kuisa mukadzi pamberi paJehovha, ndokusunungura vhudzi romusoro womukadzi, ndokuisa chipiriso chokurangaridza mumaoko ake, icho chipiriso choupfu cheshungu; mupirisiti ndokubata muruoko rwake mvura inovavisa, inouyisa kutuka.

5:19b.NUM.005.019 Ipapo mupirisiti anofanira kumupikisa, achiti kumukadzi, Kana kusina murume akavata newe, kana usina kutsaukira kune zvakaipa, uri pasi pomurume wako, usunungurwe hako pamvura iyi inovavisa, inouyisa kutuka;

5:20b.NUM.005.020 asi kana wakatsauka, uri pasi pomurume wako, ukasvibiswa, mumwe murume asati ari murume wako achinge akavata newe,

5:21b.NUM.005.021 zvino mupirisiti anofanira kupikisa mukadzi mhiko inouyisa kutuka, mupirisiti ndokuti kumukadzi, Jehovha ngaakuite chipiko chemhiko pakati porudzi rwako, kana Jehovha achiwondisa hudyu yako nokuzvimbisa dumbu rako;

5:22b.NUM.005.022 mvura iyi inouyisa kutuka ichapinda muura hwako, ndokuzvimbisa dumbu rako, nokuwondisa hudyu yako; zvino mukadzi anofanira kuti, Ameni, ameni.

5:23b.NUM.005.023 Ipapo mupirisiti anofanira kunyora kutuka uku parugwaro, ndokukusuka nemvura inovavisa.

5:24b.NUM.005.024 Zvino anofanira kunwisa mukadzi mvura inovavisa, inouyisa kutuka inofanira kupinda mukati make, imuvavise.

5:25b.NUM.005.025 Zvino mupirisiti anofanira kutora chipiriso choupfu cheshungu paruoko rwomukadzi, ndokuzunguzira chipiriso choupfu pamberi paJehovha, ndokuuya nacho kuaritari;

5:26b.NUM.005.026 mupirisiti ndokutora tsama imwe yechipiriso choupfu, kuti chive chokurangaridza chacho, ndokuhupisa paaritari, ndokunwisa mukadzi mvura iyo pashure.

5:27b.NUM.005.027 Zvino kana amunwisa mvura iyo, kana achinge asvibiswa, atadzira murume wake, mvura iyo inouyisa kutuka ichapinda maari, ikamuvavisa, dumbu rake richazvimba, nehudyu yake ichawonda; mukadzi uyu achava chituko pakati porudzi rwake.

5:28b.NUM.005.028 Asi kana mukadzi uyo asina kusvibiswa, akanaka hake, achasunungurwa hake, akava nemimbazve.

5:29b.NUM.005.029 Ndiwo murayiro weshungu, kana mukadzi ari pasi pomurume wake, akachinya, akasvibiswa;

5:30b.NUM.005.030 kana zvimwe murume achinge abatwa nomweya weshungu, ane shungu nomukadzi wake; ipapo anofanira kuisa mukadzi pamberi paJehovha, mupirisiti agomuitira nomurayiro uyu wose.

5:31b.NUM.005.031 Murume haangavi nemhosva, asi mukadzi anofanira kuva nemhosva yake.

6

6:1b.NUM.006.001 Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,

6:2b.NUM.006.002 Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, Kana murume, kunyange, mukadzi, akazvisunga nokupika kukuru, kupika kwomuNaziri, kuti azvitsaurire Jehovha;

6:3b.NUM.006.003 anofanira kuramba waini nezvinobata, haafaniri kunwa vhiniga yewaini, kana vhiniga yezvinobata, uye haafaniri kunwa muto wemizambiringa,kana kudya mazambiringa matsva kana akaomeswa.

6:4b.NUM.006.004 Mazuva ose okuzvitsaura kwake haafaniri kudya chinhu chinobva pamuti womuzambiringa kubva pasvurwe kusvika pamateko.

6:5b.NUM.006.005 Mazuva ose okupika kwake kuzvitsaura haafaniri kuveurwa musoro wake nechiso; anofanira kuva mutsvene, nevhudzi romusoro wake anofanira kurirega rirebe, kusvikira mazuva apera aakazvitsaurira Jehovha nawo.

6:6b.NUM.006.006 Ngaarege kuswedera kuchitunha mazuva ose aanozvitsaurira Jehovha nawo.

6:7b.NUM.006.007 Haafaniri kuzvisvibisa nokuda kwababa vake, kana nokuda kwamai vake, kana nokuda kwomunununa wake, kana nokuda kwehanzvadzi yake, kana vafa; nokuti akazvitsaurira Mwari.

6:8b.NUM.006.008 Mutsvene kuna Jehovha mazuva ose okuzvinatsa kwake.

6:9b.NUM.006.009 Kana munhu akafa kamwe-kamwe pedo naye, akasvibisa musoro wake wakatsaurwa; ipapo anofanira kuveura musoro wake nomusi wokunatswa kwake, nomusi wechinomwe anofanira kuuveura.

6:10b.NUM.006.010 Musi worusere anofanira kuuya kumupirisiti nenjiva mbiri kana twana twuviri twenjiva pamukova wetende rokusangana;

6:11b.NUM.006.011 mupirisiti agobayira imwe chive chipiriso chezvivi, neimwe chive chipiriso chinopiswa, amuyananisire zvaakatadza nokuda kwowakafa, anatse musoro wake nomusi uyo.

6:12b.NUM.006.012 Anofanira kutsaurira Jehovha mazuva okuzvitsaura kwake, ndokuuya negwayana regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chemhosva; asi mazuva okutanga haangaverengwi, nokuti kuzvitsaura kwake kwakanga kwasvibiswa.

6:13b.NUM.006.013 Ndiwo murayiro womuNaziri, kana mazuva okuzvitsaura kwake achinge apera. Anofanira kuiswa kumukova wetende rokusangana;

6:14b.NUM.006.014 kuti ape Jehovha chipo chake, chinoti gwayana rimwe, regondohwe regore rimwe, risina kuremara, chive chipiriso chinopiswa, negwayana rimwe resheche regore rimwe, risina kuremara, chive chipiriso chezvivi, negondohwe rimwe risina kuremara, chive chipiriso chokuyananisa,

6:15b.NUM.006.015 nedengu rezvingwa zvisina kuviriswa, nezvingwa zviduku zvoupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa, zvakazodzwa namafuta, nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa.

6:16b.NUM.006.016 mupirisiti anofanira kuuya nazvo pamberi paJehovha, ndokugadzira chipiriso chake chezvivi nechipiriso chake chinopiswa;

6:17b.NUM.006.017 ndokuuya negondohwe chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa kuna Jehovha, pamwechete nedengu rezvingwa zvisina kuviriswa; mupirisiti anofanira kuuyawo nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa.

6:18b.NUM.006.018 Zvino muNaziri anofanira kuveura musoro wake wakatsaurwa pamukova wetende rokusangana, ndokutora vhudzi romusoro wake wakatsaurwa, ndokuriisa pamoto uri pasi pechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa.

6:19b.NUM.006.019 Zvino mupirisiti anofanira kutora bandauko regondohwe rakabikwa, nechingwa chimwe chiduku chisina kuviriswa padengu, nechimwe chingwa chitete chisina kuviriswa, ndokuzviisa pamaoko omuNaziri, kana iye apedza kuveura musoro wake wakatsaurwa.

6:20b.NUM.006.020 Zvino mupirisiti anofanira kuzvizunguzira pamberi paJehovha, chive chipiriso chinozunguzirwa; chinhu chitsvene chomupirisiti, pamwechete nechityu chinozunguzirwa, nebandauko rinosimudzwa; zvino muNaziri anganwe

6:21b.NUM.006.021 ndiwo murayiro womuNaziri pakupika kwake, nechipo chake chokuzvitsaurira Jehovha, zvimwe zvaangagona kuuya nazvo zvisingaverengwi; sezvaakapika, ndizvo zvaanofanira kuita nomurayiro wokuzvitsaura nawo. Kuropafadza kwomupirisiti

6:22b.NUM.006.022 Jehovha akataura naMozisi, akati,

6:23b.NUM.006.023 Taura naAroni navanakomana vake, uti, Munofanira kuropafadza vana vaIsiraeri nomutoo uyu: Muti kwavari,

6:24b.NUM.006.024 Jehovha akuropafadze, akuchengete;

6:25b.NUM.006.025 Jehovha akuvhenekere nechiso chake, akunzwire nyasha;

6:26b.NUM.006.026 Jehovha akusimudzire chiso chake, akupe rugare.

6:27b.NUM.006.027 Nokudaro vachaisa zita rangu pavana vaIsiraeri; neni ndichavaropafadza.

7

7:1b.NUM.007.001 Zvino nomusi Mozisi waakapedza / kumisa tabhenakeri nawo, nokuizodza, nokuitsaura nenhumbi dzayo dzose, nearitari, nemidziyo yayo yose, akati azvizodza nokuzvitsaura,

7:2b.NUM.007.002 machinda avaIsiraeri, vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, vakauya nezvipo zvavo; ndivo vaiva machinda amarudzi, ndivo vakanga vari vatariri vavanhu vakaverengwa;

7:3b.NUM.007.003 vakauya nezvipo zvavo pamberi paJehovha, zvinoti: Ngoro nhanhatu dzaiva namatende, nenzombe dzine gumi nembiri, machinda maviri ane ngoro imwe, mumwe nomumwe ane nzombe imwe; vakauya nazvo pamberi petabhenakeri.

7:4b.NUM.007.004 Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,

7:5b.NUM.007.005 Gamuchira izvozvo kwavari, kuti mabasa etende rokusangana aitwe nazvo; unofanira kuzvipa vaRevhi, mumwe nomumwe zvinoringana mabasa ake.

7:6b.NUM.007.006 Ipapo Mozisi akagamuchira ngoro idzo nenzombe, akazvipa vaRevhi.

7:7b.NUM.007.007 Akapa vanakomana vaGeshoni ngoro mbiri nenzombe ina, zvakaringana mabasa avo.

7:8b.NUM.007.008 Akapawo vanakomana vaMerari ngoro ina nenzombe sere, zvakaringana mabasa avo, vachirairwa naItamari, mwanakomana waAroni mupirisiti.

7:9b.NUM.007.009 Asi haana kupa vanakomana vaKohati chinhu nokuti ndivo vakanga vane basa reimba tsvene; vaifanira kuzvitakura pamafudzi avo.

7:10b.NUM.007.010 Machinda akauya nezvipo zvokutsaurira aritari nomusi wayakazodzwa nawo, machinda akauya nezvipo zvawo pamberi pearitari.

7:11b.NUM.007.011 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Ngavauye nezvipo zvavo zvokutsaurira aritari, muchinda mumwe nomumwe nomusi wake.

7:12b.NUM.007.012 Zvino akauya nechipo chake nezuva rokutanga akanga ari Nashoni, mwanakomana waAminadhabhu, worudzi rwaJudha.

7:13b.NUM.007.013 Chipo chake yakanga iri ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;

7:14b.NUM.007.014 nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,

7:15b.NUM.007.015 nenzombe imwe negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa,

7:16b.NUM.007.016 nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;

7:17b.NUM.007.017 nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaNashoni, mwanakomana waAminadhabhu.

7:18b.NUM.007.018 Nezuva repiri Netaneri, mwanakomana waZuari, muchinda waIsakari, akauyisa chipo chake.

7:19b.NUM.007.019 Akauya nechipo chake, chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;

7:20b.NUM.007.020 nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,

7:21b.NUM.007.021 nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;

7:22b.NUM.007.022 nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;

7:23b.NUM.007.023 nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaNetaneri, mwanakomana waZuari.

7:24b.NUM.007.024 Nezuva retatu Eriabhu, mwanakomana waHeroni, muchinda wavana vaZebhuruni, akauya.

7:25b.NUM.007.025 Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu,nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta chive chipiriso choupfu;

7:26b.NUM.007.026 nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,

7:27b.NUM.007.027 nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;

7:28b.NUM.007.028 nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;

7:29b.NUM.007.029 nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaEriabhu, mwanakomana waHeroni.

7:30b.NUM.007.030 Nezuva rechina Erizuri, mwanakomana waShedheuri, muchinda wavana vaRubheni, akauya.

7:31b.NUM.007.031 Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;

7:32b.NUM.007.032 nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,

7:33b.NUM.007.033 nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;

7:34b.NUM.007.034 nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;

7:35b.NUM.007.035 nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaErizuri, mwanakomana waShedheuri.

7:36b.NUM.007.036 Nezuva reshanu Sherumieri, mwanakomana waZurishadhai, muchinda wavana vaSimiyoni, akauya.

7:37b.NUM.007.037 Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;

7:38b.NUM.007.038 nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,

7:39b.NUM.007.039 nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;

7:40b.NUM.007.040 nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;

7:41b.NUM.007.041 nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaSherumieri, mwanakomana waZurishadhai.

7:42b.NUM.007.042 Nezuva retanhatu Eriasafi, mwanakomana waDheueri, muchinda wavana vaGadhi, akauya.

7:43b.NUM.007.043 Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu,

7:44b.NUM.007.044 nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,

7:45b.NUM.007.045 nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;

7:46b.NUM.007.046 nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;

7:47b.NUM.007.047 nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaEriasafi, mwanakomana waDheueri.

7:48b.NUM.007.048 Nezuva rechinomwe Erishama, mwanakomana waAmihudhi, muchinda wavana vaEfuremu, akauya.

7:49b.NUM.007.049 Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;

7:50b.NUM.007.050 nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,

7:51b.NUM.007.051 nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;

7:52b.NUM.007.052 nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;

7:53b.NUM.007.053 nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaErishama, mwanakomana waAmihudhi.

7:54b.NUM.007.054 Nezuva rorusere Gamarieri, mwanakomana waPedhazuri, muchinda wa vana vaManase, akauya.

7:55b.NUM.007.055 Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;

7:56b.NUM.007.056 nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,

7:57b.NUM.007.057 nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;

7:58b.NUM.007.058 nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;

7:59b.NUM.007.059 nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaGamarieri, mwanakomana waPedhazuri.

7:60b.NUM.007.060 Nezuva repfumbamwe Abhidhani, mwanakomana waGidheoni, muchinda wavana vaBhenjamini, akauya.

7:61b.NUM.007.061 Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;

7:62b.NUM.007.062 nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,

7:63b.NUM.007.063 nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;

7:64b.NUM.007.064 nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;

7:65b.NUM.007.065 nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaAbhidhani, mwanakomana waGidheoni.

7:66b.NUM.007.066 Nezuva regumi Ahiezeri, mwanakomana waAmishadhai, muchinda wavana vaDhani, akauya.

7:67b.NUM.007.067 Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;

7:68b.NUM.007.068 nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,

7:69b.NUM.007.069 nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;

7:70b.NUM.007.070 nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;

7:71b.NUM.007.071 nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaAhiezeri, mwanakomana waAmishadhai.

7:72b.NUM.007.072 Nezuva regumi nerimwe Pagieri, mwanakomana waOkirani, muchinda wavana vaAsheri, akauya.

7:73b.NUM.007.073 Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;

7:74b.NUM.007.074 nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,

7:75b.NUM.007.075 nenzombe imwe, negondohwe rimwe negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa;

7:76b.NUM.007.076 nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;

7:77b.NUM.007.077 nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaPagieri, mwanakomana waOkirani.

7:78b.NUM.007.078 Nezuva regumi namaviri Ahira, mwanakomana waEnani, muchinda wavana vaNafutari, akauya.

7:79b.NUM.007.079 Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;

7:80b.NUM.007.080 nendiro imwe yendarama yamashekeri ane gumi, izere nezvinonhuwira,

7:81b.NUM.007.081 nenzombe imwe, negondohwe rimwe, negwayana rimwe regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chinopiswa,

7:82b.NUM.007.082 nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi;

7:83b.NUM.007.083 nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaAhira, mwanakomana waEnani.

7:84b.NUM.007.084 Ndicho chipo chokutsaurwa kwearitari nomusi wayakazodzwa nawo namachinda aIsiraeri. Ndiro huru dzesirivha dzine gumi nembiri, nemidziyo yesirivha ine gumi nembiri, nendiro dzendarama dzine gumi nembiri;

7:85b.NUM.007.085 ndiro imwe huru yesirivha yakasvika mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe nomumwe mashekeri ana makumi manomwe; sirivha yose yemidziyo yose yakasvika mashekeri ane zviuru zviviri namazana mana, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene;

7:86b.NUM.007.086 nendiro dzine gumi nembiri dzendarama, dzakanga dzizere nezvinonhuwira, imwe neimwe yakanga ina mashekeri ane gumi, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; ndarama yose yendiro yakasvika mashekeri ane zana namakumi maviri;

7:87b.NUM.007.087 nzombe dzose dzezvipiriso zvinopiswa dzakasvika nzombe dzine gumi nembiri, namakondohwe ane gumi namaviri, namakwayana amakondohwe egore rimwe ane gumi namaviri, nezvipiriso zvazvo zvoupfu; nenhongo dzembudzi gumi nembiri, chive chipiriso chezvivi;

7:88b.NUM.007.088 nzombe dzose dzechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa dzakasvika nzombe dzina makumi maviri neina, namakondohwe ana makumi matanhatu, nenhongo dzembudzi dzina makumi matanhatu, namakwayana amakondohwe egore rimwe ana makumi matanhatu. Ndicho chipo chokutsaurwa kwearitari, shure kwokuzodzwa kwayo.

7:89b.NUM.007.089 Zvino Mozisi akati apinda mutende rokusangana, kuti ataure naye, akanzwa inzwi richitaura naye, richibva pachifunhiro chokuyananisa, chakanga chiri pamusoro peareka yechipupuriro, richibva pakati pamakerubhi maviri: akataura naye.

8

8:1b.NUM.008.001 Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,

8:2b.NUM.008.002 Taura naAron, uti kwaari, Kana uchimisa mwenje, mwenje minomwe inofanira kuvhenekera pamberi pechigadziko.

8:3b.NUM.008.003 Aroni akaita saizvozvo; akamisa mwenje sezvakarairwa kuti ivhenekere pamberi pechigadziko sezvakarairwa Mozisi naJehovha.

8:4b.NUM.008.004 Chigadziko chakanga chakaitwa kudai: Chakanga chakaitwa nendarama yakapambadzirwa; kusvikira pasi pacho napamaruva acho chakanga chakaitwa nendarama yakapambadzirwa; nomufananidzo wakanga wakaratidzwa Mozisi naJehovha, ndizvo zvaakaita chigadziko. VaRevhi vanotsaurwa

8:5b.NUM.008.005 Jehovha akataura naMozisi akati,

8:6b.NUM.008.006 Bvisa vaRevhi pakati pavana vaIsiraeri, uvanatse.

8:7b.NUM.008.007 Pakuvanatsa unofanira kuvaitira kudai: Sasa pamusoro pavo mvura inosuka zvivi, ugovaraira kuti vaveurwe muviri wavo wose nechiso, vasuke nguvo dzavo, nokuzvinatsa.

8:8b.NUM.008.008 Zvino vanofanira kutora nzombe duku, nechipiriso chayo choupfu, upfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta; newe utore imwe nzombe duku, chive chipiriso chezvivi.

8:9b.NUM.008.009 Zvino uise vaRevhi pamberi petende rokusangana, ndokukoka ungano yose yavana vaIsiraeri.

8:10b.NUM.008.010 Unofanira kuisa vaRevhi pamberi paJehovha, vana vaIsiraeri vagoisa maoko avo pamusoro pavaRevhi.

8:11b.NUM.008.011 Zvino Aroni anofanira kuzunguzira vaRevhi pamberi paJehovha, vave chipiriso chinozunguzirwa nokuda kwavana vaIsiraeri, kuti vagarepo kuzobata basa raJehovha.

8:12b.NUM.008.012 Zvino vaRevhi vanofanira kuisa maoko avo pamisoro yenzombe duku, iwe ugobayira Jehovha imwe chive chipiriso chezvivi, neimwe chive chipiriso chinopiswa, kuti uyananisire vaRevhi.

8:13b.NUM.008.013 Zvino unofanira kuisa vaRevhi pamberi paAroni navanakomana vake, ugovazunguzira vave chipiriso chinozunguzirwa kuna Jehovha.

8:14b.NUM.008.014 Unofanira kubvisa vaRevhi saizvozvo pakati pavana vaIsiraeri, kuti vaRevhi vave vangu.

8:15b.NUM.008.015 Zvino shure kwaizvozvo vaRevhi vanofanira kupinda kuzobata basa patende rokusangana; unofanira kuvanatsa nokuvazunguzira vave chipiriso chinozunguzirwa.

8:16b.NUM.008.016 Nokuti ndakavapiwa ini chose pakati pavana vaIsiraeri; ndakazvitorera ivo panzvimbo yavose vanotanga kuzarura chizvaro, iwo matangwe avana valsiraeri vose.

8:17b.NUM.008.017 Nokuti matangwe ose avana vaIsiraeri ndeangu, kana evanhu kana ezvipfuwo; ndakazvitsaurira iwo nomusi wandakauraya matangwe ose munyika yeIjipiti.

8:18b.NUM.008.018 Ndakatora vaRevhi panzvimbo yamatangwe ose pakati pavana vaIsiraeri,

8:19b.NUM.008.019 Aroni navanakomana vake ndikavapa vaRevhi pakati pavana vaIsiraeri, kuti vabate basa ravana vaIsiraeri patende rokusangana, nokuyananisira vana vaIsiraeri, kuti hosha irege kuvapo pakati pavana vaIsiraeri kana vana vaIsiraeri vachiswedera kuimba tsvene.

8:20b.NUM.008.020 Mozisi naAroni neungano yose yavana vaIsiraeri vakaitira vaRevhi saizvozvo; zvose sezvakarairwa Mozisi naJehovha pamusoro pavaRevhi, vana vaIsiraeri vakavaitira saizvozvo.

8:21b.NUM.008.021 VaRevhi vakazvinatsa pazvivi zvavo, vakasuka nguvo dzavo, Aroni akavazunguzira pamberi paJehovha vave chipiriso chinozunguzirwa; Aroni akavayananisira kuti avanatse.

8:22b.NUM.008.022 Zvino shure kwaizvozvo vaRevhi vakapinda kuzobata basa patende rokusangana pamberi paAroni napamberi pavana vake; sezvakarairwa Mozisi naJehovha pamusoro pavaRevhi, ndizvo zvaakavaitira.

8:23b.NUM.008.023 Jehovha akataura naMozisi akati,

8:24b.NUM.008.024 Ndiwo murayiro wavaRevhi: Avo vasvika pamakore makumi maviri namashanu, navanopfuura, vanofanira kupinda kuzorwa namabasa etende rokusangana;

8:25b.NUM.008.025 asi kana vasvika makore ana makumi mashanu vanofanira kurega basa iri; havachafaniri kubata;

8:26b.NUM.008.026 asi vangabatsirana havo nehama dzavo patende rokusangana, kuti varichengete, asi ngavarege kubata basa. Ndizvo zvaunofanira kuitira vaRevhi pamusoro pamabasa avo.

9

9:1b.NUM.009.001 Zvino Jehovha wakataura naMozisi murenje reSinai pamwedzi wokutanga wegore rechipiri rokubuda kwavo panyika yeIjipiti akati,

9:2b.NUM.009.002 Vana vaIsiraeri vanofanira kutamba Pasika panguva yayo yakatarwa.

9:3b.NUM.009.003 Nezuva regumi namana romwedzi uno, madekwana, munofanira kuitamba panguva yayo yakatarwa; munofanira kuitamba muchiteerera mitemo yayo yose nemirairo yayo yose.

9:4b.NUM.009.004 Ipapo Mozisi akataura navana vaIsiraeri, kuti vatambe Pasika.

9:5b.NUM.009.005 Ivo vakatamba Pasika nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namana romwedzi, madekwana, murenje reSinai zvese sezvakarairwa Mozisi naJehovha, ndizvo zvakaita vana vaIsiraeri.

9:6b.NUM.009.006 Zvino kwakanga kuna vamwe varume vakanga vasina kunaka nokuda kwechitunha chomunhu, naizvozvo vakanga vasingagoni kudya Pasika nomusi iwoyo; naizvozvo vakauya kuna Mozisi naAroni nomusi iwoyo;

9:7b.NUM.009.007 varume ava vakati kwaari, Hatina kunaka nokuda kwechitunha chomunhu; tingadziviswa seiko kupa chipo chaJehovha nenguva yacho yakatarwa pakati pavana vaIsiraeri?

9:8b.NUM.009.008 Mozisi akati kwavari, Mirai, ndinzwe zvinorairwa naJehovha pamusoro penyu.

9:9b.NUM.009.009 Jehovha akataura naMozisi akati,

9:10b.NUM.009.010 Taura navana vaIsiraeri, uti, Kana mumwe wenyu, kana wavana venyu, achinge ava usina kunaka nokuda kwechitunha, kana zvimwe ari kurwendo ruri kure, kunyange zvakadaro anofanira kutamba Pasika yaJehovha.

9:11b.NUM.009.011 Ivo vanofanira kuidya nomwedzi wechipiri, nezuva regumi namana, madekwana; vanofanira kuidya nechingwa chisina kuviriswa nemiriwo inovava.

9:12b.NUM.009.012 Havafaniri kusiya zvimwe kusvikira mangwana, kana kuvhuna pfupa rimwe rayo, asi vanofanira kuitamba vachiteerera mitemo yose yePasika.

9:13b.NUM.009.013 Asi kana munhu akanaka hake, asati ari parwendo, akasadya Pasika, munhu iyeye unofanira kubviswa pakati porudzi rwake; zvaasina kupa chipo chaJehovha panguva yakatarwa, munhu uyo uchava nezvivi zvake.

9:14b.NUM.009.014 Kana ari mutorwa ugere nemi, akada kudya Pasika yaJehovha, anofanira kuidya achiteerera mutemo wePasika, nomurayiro wayo; munofanira kuva nomutemo mumwe, womutorwa nomunhu wakaberekerwa munyika. Gore nomoto pamusoro petabhenakeri

9:15b.NUM.009.015 Nomusi wokumiswa kwetabhenakeri, gore rakafukidza tabhenakeri, iro tende rechipupuriro; madekwana rakanga riri pamusoro petabhenakeri rakaita somoto kusvikira mangwana.

9:16b.NUM.009.016 Zvakanga zvakadaro nguva dzose; gore rakaifukidza, asi usiku rakanga rakaita somoto.

9:17b.NUM.009.017 Zvino nguva dzose kana gore richisimudzwa pamusoro petende, shure kwaizvozvo vana valsiraeri vaifamba; paindomira gore, ipapo vana vaIsiraeri vaidzika matende avo;

9:18b.NUM.009.018 sezvavairairwa naJehovha, vana vaIsiraeri vaifamba, sezvavairairwa naJehovha vaidzika matende avo; nguva yose kana gore rimire pamusoro petabhenakeri, ivo vairambira mumatende avo.

9:19b.NUM.009.019 Kana gore richirambira pamusoro petabhenakeri mazuva mazhinji,vana vaIsiraeri vaichengeta zvavakanga varairwa naJehovha, vakasafamba.

9:20b.NUM.009.020 Dzimwe nguva gore raigara pamusoro petabhenakeri mazuva mashomanene; zvino sezvairaira Jehovha vairamba vagere pamatende avo, uye sezvairaira Jehovha vaifamba.

9:21b.NUM.009.021 Dzimwe nguva gore raivapo kubva madeko kusvikira mangwana; zvino kana gore richisimudzwa mangwana, vaifamba; kana masikati kana usiku, kana gore richisimudzwa, vaifamba.

9:22b.NUM.009.022 Kana gore rikaramba riri pamusoro payo, vana vaIsiraeri vairamba vagere mumatende avo, vasingafambi; asi kana rasimudzwa, vaifamba.

9:23b.NUM.009.023 Sezvavairairwa naJehovha, vaidzika matende avo; sezvavairairwa naJehovha, vaifamba; vaichengeta zvavakanga varairwa naJehovha, sezvakarairwa Jehovha nomuromo waMozisi.

10

10:1b.NUM.010.001 Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati.

10:2b.NUM.010.002 Uzviitire hwamanda mbiri dzesirivha; unofanira kudziita nesirivha yakapambadzirwa; idzo dzinofanira kukubatsira kudana ungano nokuraira kuti mapoka afambe.

10:3b.NUM.010.003 Kana vachidziridza ungano yose inofanira kuungana kwauri pamukova wetende rokusangana.

10:4b.NUM.010.004 Kana vachiridza imwechete, zvino machinda vari vakuru vezviuru zvavaIsiraeri vanofanira kuungana kwauri.

10:5b.NUM.010.005 Kana muchiridzisa, mapoka okurutivi rwamabvazuva anofanira kusimuka, vafambe.

10:6b.NUM.010.006 Kana muchiridzisa rwechipiri mapoka okurutivi rwezasi anofanira kusimuka, vafambe; vanofanira kuridzisa kana vofamba nzendo.

10:7b.NUM.010.007 Asi kana ungano ichifanira kuunganidzwa, munofanira kuridza, asi musaridzisa.

10:8b.NUM.010.008 Vanakomana vaAroni, vapirisiti, ndivo vanofanira kuridza hwamanda; ngazvive tsika kwamuri nokusingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose.

10:9b.NUM.010.009 Kana muchindorwa munyika yenyu nomuvengi anokumanikidzai, munofanira kuridzisa nehwamanda; ipapo mucharangarirwa pamberi paJehovha Mwari wenyu, mugoponeswa pavavengi venyu.

10:10b.NUM.010.010 Uye nomusi wamunofara nawo, napamitambo yenyu yakatarwa napakutanga kwemwedzi yenyu, munofanira kuridza hwamanda pamusoro pezvipiriso zvenyu zvinopiswa, napamusoro pezvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, kuti Jehovha akurangarirei nazvo; ndini Jehovha Mwari wenyu. Valsiraeri vanosimuka paSinai

10:11b.NUM.010.011 Zvino negore rechipiri, nomwedzi wechipiri, nezuva ramakumi maviri romwedzi, gore rakasimudzwa pamusoro petabhenakeri yechipupuriro.

10:12b.NUM.010.012 Ipapo vana vaIsiraeri vakasimuka murenje reSinai, kuzofamba nzendo dzavo; gore rikandomira murenje reParani.

10:13b.NUM.010.013 Vakatanga kufamba sezvavakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi.

10:14b.NUM.010.014 Pakutanga mureza weboka ravana vaJudha wakasimuka namapoka avo; boka rake rakanga richirairwa naNashoni, mwanakomana waAminadhabhu.

10:15b.NUM.010.015 Boka rorudzi rwavana vaIsakari rakanga richirairwa naNetaneri, mwanakomana waZuari.

10:16b.NUM.010.016 Boka rorudzi rwaZebhuruni rakanga richirairwa naEriabhu, mwanakomana waHeroni.

10:17b.NUM.010.017 Zvino tabhenakeri yakabviswa, vanakomana vaGeshoni navanakomana vaMerari, vatakuri vetabhenakeri, vakasimuka.

10:18b.NUM.010.018 Zvino mureza weboka raRubheni wakasimuka namapoka avo; boka rake rakanga richirairwa naErizuri, mwanakomana waShedheuri.

10:19b.NUM.010.019 Boka rorudzi rwavana vaSimiyoni rakanga richirairwa naSherumieri, mwanakomana waZurishadhai.

10:20b.NUM.010.020 Boka rorudzi rwavana vaGadhi rakanga richirairwa naEriasafi, mwanakomana waDheueri.

10:21b.NUM.010.021 Zvino vaKohati vakasimuka, vakatakura imba tsvene; vamwe vakamisa tabhenakeri ivo vachigere kusvika.

10:22b.NUM.010.022 Zvino mureza weboka ravana vaEfuremu wakasimuka namapoka avo; boka rake rakanga richirairwa naErishama, mwanakomana waAmihudhi.

10:23b.NUM.010.023 Boka rorudzi rwavana vaManase rakanga richirairwa naGamarieri, mwanakomana waPedhazuri.

10:24b.NUM.010.024 Boka rorudzi rwavana vaBhenjamini rakanga richirairwa naAbhidhani, mwanakomana waGidheoni.

10:25b.NUM.010.025 Ipapo mureza weboka ravana vaDhani, ndivo vokupedzisira pamapoka ose, vakasimuka namapoka avo; boka rake rakanga richirairwa naAhiezeri, mwanakomana waAmishadhai.

10:26b.NUM.010.026 Boka rorudzi rwavana vaAsheri rakanga richirairwa naPagieri, mwanakomana waOkirani

10:27b.NUM.010.027 boka rorudzi rwavana vaNafutari rakanga richirairwa naAhira,mwanakomana waEnani

10:28b.NUM.010.028 Ndiko kufamba kwavana VaIsiraeri namapoka avo vakasimuka.

10:29b.NUM.010.029 Zvino Mozisi akati kuna Hobhabhu, mwanakomana waReueri, muMidhiani, mukarahwa waMozisi, Toenda kunzvimbo iyo yakanzi naJehovha, ndichakupai iyo; endai nesu, tigokuitirai zvakanaka, nokuti Jehovha akataura zvakanaka pamusoro pavaIsiraeri.

10:30b.NUM.010.030 Iye akati kwaari, Handingaendi, asi ndichaenda hangu kunyika yangu nokuhama dzangu.

10:31b.NUM.010.031 Iye akati, Ndinonyengetera kuti murege henyu kutisiya, zvamunoziva mudzikirwe wamatende edu murenje, muchava meso edu.

10:32b.NUM.010.032 Kana mukaenda nesu, kana Jehovha akatiitira zvakanaka zvipi nezvipi, tichakuitirai izvozvowo.

10:33b.NUM.010.033 Zvino vakasimuka pagomo raJehovha, vakafamba mazuva matatu; areka yesungano yaJehovha ikavatungamirira mazuva matatu, kuvatsvakira pokuzorora.

10:34b.NUM.010.034 Gore raJehovha rikava pamusoro pavo masikati pakusimuka kwavo pamisasa.

10:35b.NUM.010.035 Zvino areka yakati yasimuka, Mozisi akati, Simukai Jehovha, vavengi venyu ngavaparadzwe; navanokuvengai ngavatize pamberi penyu.

10:36b.NUM.010.036 Zvino pakuzorora kwayo, akati, Dzokai Jehovha, kuzviuru zvine gumi nezviuru zvavaIsiraeri.

11

11:1b.NUM.011.001 Zvino vanhu vakaita savanyunyuti, vakataura zvakaipa munzeve dzaJehovha; ipapo Jehovha akati azvinzwa, akatsamwa kwazvo, moto waJehovha ukapfuta pakati pavo, ukaparadza kumudzivo wemisasa.

11:2b.NUM.011.002 Vanhu vakachema kuna Mozisi, Mozisi akanyengetera kuna Jehovha, moto ukadzimwa.

11:3b.NUM.011.003 Zita renzvimbo iyo rikanzi Tabhera, nokuti moto waJehovha wakapfutapo pakati pavo. Vanhu vanonyunyutazve paKibhuroti-hatava; vanopiwa zvihuta

11:4b.NUM.011.004 Zvino vatorwa vazhinji, vakanga vari pakati pavo, vakatanga kufa nenhomba yenyama; navana vaIsiraeri vakachemawo, vakati, Ndianiko achatipa nyama kuti tidye?

11:5b.NUM.011.005 Tinorangarira hove dzataidya Ijipiti, tisingatengi, namakeke, namanwiwa, nerikisi, nehanyanisi, negariki.

11:6b.NUM.011.006 Asi zvino mweya yedu yaoma, hapana zvokudya chose, hapana chinhu chatinoona, asi mana iyi bedzi.

11:7b.NUM.011.007 Mana yakanga yakafanana nembeu dzekorianderi, yakanga yakaita sebhedharo.

11:8b.NUM.011.008 Vanhu vaipararira kundoinonga, vakaikuya pamakuyo, kana kuitswa mumaturi, nokuibika muhari, nokuita zvingwa zviduku nayo; kana yodyiwa yakaita sezvingwa zvakabikwa namafuta.

11:9b.NUM.011.009 Kana dova richiwira pamisasa usiku, mana yakawawo pamwechete naro.

11:10b.NUM.011.010 Zvino Mozisi akanzwa vanhu vachichema padzimba dzavo dzose, mumwe nomumwe pamukova wetende rake; Jehovha akatsamwa kwazvo; naiye Mozisi akanga asingafari.

11:11b.NUM.011.011 Mozisi akati kuna Jehovha, Makaitireiko muranda wenyu zvakaipa? Ndakaregereiko kunzwirwa nyasha nemi, zvamakanditakudza mutoro wavanhu ava vose?

11:12b.NUM.011.012 Ko ndini ndakagamuchira vanhu ava vose here? Ko ndini ndakavabereka here, zvamunoti kwandiri, Uvatakure pachipfuva chako, somureri anotakura mwana anomwa, uvaise kunyika yamakapikira madzibaba avo?

11:13b.NUM.011.013 Ndichawanepiko nyama yandingapa vanhu ava vose? Nokuti vanondichemera, vachiti, Tipe nyama, tidye.

11:14b.NUM.011.014 Handigoni kutakura vanhu ava vose ndoga, nokuti zvinondiremera kwazvo.

11:15b.NUM.011.015 Kana muchida kundiitira saizvozvo, chindiurayai henyu kamwe, kana ndanzwirwa nyasha nemi, ndirege hangu kuona urombo hwangu.

11:16b.NUM.011.016 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Unganidza kwandiri varume vana makumi manomwe vavakuru vaIsiraeri, vaunoziva kuti vakuru vavanhu, navaritariri vavo, uuye navo patende rokusangana, kuti vamirepo newe.

11:17b.NUM.011.017 Ipapo ndichaburuka, nditaure newe ipapo; zvino ndichatora pamweya uri pamusoro pako, ndikauisa pamusoro pavo; ivo vachatakura mutoro wavanhu pamwechete newe, kuti urege kuutakura iwe woga.

11:18b.NUM.011.018 Zvino iwe uti kuvanhu, Zvinatsirei mangwana, nokuti muchadya nyama; nokuti makachema munzeve dzaJehovha, muchiti, Ndianiko uchatipa nyama, tidye? Nokuti takanga tichifara hedu Ijipiti. Naizvozvo Jehovha achakupai nyama, mudye.

11:19b.NUM.011.019 Hamungadyi zuva rimwe, kana mazuva maviri, kana mazuva mashanu, kana mazuva ane gumi, kana mazuva ana makumi maviri;

11:20b.NUM.011.020 asi mwedzi wose, kusvikira ichibuda kumhino dzenyu, ikakusemesai; nokuti makarasha Jehovha ari pakati penyu, mukachema pamberi pake, muchiti, Takabudireiko Ijipiti?

11:21b.NUM.011.021 Zvino Mozisi akati, Vanhu ava, vandiri pakati pavo, vanofamba namakumbo, vanosvika zviuru zvina mazana matanhatu, zvino moti: Ndichavapa nyama, vaidye mwedzi wose!

11:22b.NUM.011.022 Ko vachabayirwa makwai nemombe, kuti varingane here? Kana vangaunganidzirwa hove dzose dziri mugungwa, kuti varingane here?

11:23b.NUM.011.023 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, Ko ruoko rwaJehovha rwakafupiswa here? Uchaona hako zvino kana shoko rangu richiitika kana risingaitiki

11:24b.NUM.011.024 ipapo Mozisi akabuda, akandoudza vanhu mashoko aJehovha; akaunganidza vanhu vana makumi manomwe vavakuru vavanhu, akavapotedza tende.

11:25b.NUM.011.025 Ipapo Jehovha akaburuka mugore, akataura naye, akatora pamweya wakanga uri pamusoro pake, akauisa pamusoro pavakuru avo vana makumi manomwe; zvino mweya wakati uchigara pamusoro pavo, ivo vakaporofita, asi havana kuzoitazve saizvozvo.

11:26b.NUM.011.026 Asi varume vaviri vakasara pamisasa, zita romumwe rainzi Eridhadhi, nezita romumwe Medhadhi; mweya ukagara pamusoro pavo, nokuti vakanga vakanyorwa, asi havana kubudira kutende; vakaporofita pamisasa.

11:27b.NUM.011.027 Zvino mumwe mukomana akamhanya, akandoudza Mozisi, akati, Eridhadhi naMedhadhi vanoporofita pamisasa.

11:28b.NUM.011.028 Ipapo Joshua, mwanakomana waNuni, muranda waMozisi kubva paujaya hwake, akapindura, akati, Ishe wangu, Mozisi, vadzivisei.

11:29b.NUM.011.029 Mozisi akati kwaari, Ko une shungu nokuda kwangu here? Dai vanhu vose vaJehovha vaiva vaporofita, Jehovha akaisa mweya wake pamusoro pavo!

11:30b.NUM.011.030 Ipapo Mozisi akaenda kumisasa, iye navakuru vaIsiraeri.

11:31b.NUM.011.031 Zvino mhepo yakabva kuna Jehovha, ikauyisa zvihuta, zvaibva kugungwa, ikazvikandira pamisasa kumativi ose, zvikaita rwendo rwezuva rimwe kurutivi rumwe, norwendo rwezuva rimwezve kuno rumwe rutivi rwemisasa, nomurwi wakakwirira makubhiti maviri pamusoro penyika.

11:32b.NUM.011.032 Zvino vanhu vakasimuka zuva iro rose, nousiku uhwo hwose, neramangwana rose, vakaunganidza zvihuta. Wakaunganidza zvishoma wakaunganidza mahomeri ane gumi, vakazvinika kumativi ose emisasa.

11:33b.NUM.011.033 Nyama yakanga ichiri pakati pameno avo, isati yatsengwa, kutsamwa kwaJehovha kukamukira vanhu, Jehovha akarova vanhu nehosha yakaipa kwazvo.

11:34b.NUM.011.034 Naizvozvo nzvimbo iyo yakatumidzwa Kibhuroti-hatava, nokuti ndipo pavakaviga vanhu vakanga vafa nenhomba yenyama.

11:35b.NUM.011.035 Vanhu vakasimuka vakabva Kibhuroti-hatava vakasvika Hazeroti; vakagara paHazeroti.

12

12:1b.NUM.012.001 Zvino Miriami naAroni vakapopotera Mozisi nokuda kwomukadzi aiva muKushi, waakanga awana; nokuti akanga awana mukadzi aiva muKushi.

12:2b.NUM.012.002 Vakati, Ko Jehovha akataura naMozisi iye oga here? Ko haana kutaura nesuo here? Jehovha akazvinzwa.

12:3b.NUM.012.003 Zvino munhu uyu Mozisi akanga ari munhu munyoro kwazvo, kupfuura vanhu vose vaiva panyika.

12:4b.NUM.012.004 Jehovha akataura pakarepo naMozisi naAroni naMiriami, akati, Budai imwi vatatu kutende rokusangana. Ivo vatatu vakabuda.

12:5b.NUM.012.005 Ipapo Jehovha akaburuka mushongwe yegore, akamira mumukova wetende rokusangana, akadana Aroni naMiriami; ivo vaviri vakabuda.

12:6b.NUM.012.006 Zvino akati, Teererai mashoko angu; kana kuno muporofita pakati penyu, ini Jehovha ndichazvizivisa kwaari nechiratidzo, ndichataura naye nokurota hope.

12:7b.NUM.012.007 Muranda wangu Mozisi haana kudaro; akatendeka paimba yangu yose.

12:8b.NUM.012.008 Iye ndichataura naye nomuromo, pachena, ndisingatauri namashoko asinganzwisiswi; iye uchaona Jehovha kuti akadini; naizvozvo makaregereiko kutya kupopotera muranda wangu Mozisi?

12:9b.NUM.012.009 Ipapo kutsamwa kwaJehovha kwakavamukira, iye akabva.

12:10b.NUM.012.010 Gore rikabva pamusoro petende rokusangana, onei Miriami ava namaperembudzi, akachena sechando; Aroni akatarira Miriami, onei ava namaperembudzI

12:11b.NUM.012.011 Zvino Aroni akati kuna Mozisi, Haiwa, Ishe wangu, musaisa mhosva yezvivi pamusoro pedu,kunyange takaita hedu noupenzi, tikatadza.

12:12b.NUM.012.012 Ngaarege kuva somwana wakaberekwa akafa, imwe nyama yake yakaora pakubuda kwake padumbu ramai vake.

12:13b.NUM.012.013 Zvino Mozisi akachema kuna Jehovha, akati, Haiwa Mwari, domuporesai henyu.

12:14b.NUM.012.014 Jehovha akati kuna Mozisi, Dai baba vake vakanga vamupfira mate kuchiso chake, haazaifanira kunyara mazuva manomwe here? Ngaabudiswe kunze kwemisasa mazuva manomwe, agopinzwa pashure.

12:15b.NUM.012.015 Ipapo Miriami akabudiswa kunze kwemisasa mazuva manomwe, vanhu vakasafamba, kusvikira Miriami adzoswazve.

12:16b.NUM.012.016 Shure kwaizvozvo vanhu vakasimuka vakabva Hazeroti, vakandodzika matende avo murenje reParani.

13

13:1b.NUM.013.001 Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,

13:2b.NUM.013.002 Tuma varume kuti vandoshora nyika yeKenani, yandichapa vana vaIsiraeri; utume mumwe worudzi rumwe norumwe rwamadzibaba avo, vose vave vakuru pakati pavo.

13:3b.NUM.013.003 Mozisi akavatuma, vakabva murenje reParani, nokuraira kwaJehovha, vose vavo vari varume vaiva vakuru vavana vaIsiraeri.

13:4b.NUM.013.004 Ndiwo mazita avo: Vokurudzi rwaRubheni, Shamua, mwanakomana waZakuri.

13:5b.NUM.013.005 Vokurudzi rwaSimiyoni, Shafati, mwanakomana waHori.

13:6b.NUM.013.006 Vokurudzi rwaJudha, Karebhu, mwanakomana waJefune.

13:7b.NUM.013.007 Vokurudzi rwaIsakari, Igari, mwanakomana waJosefa.

13:8b.NUM.013.008 Vokurudzi rwaEfuremu, Hoshea, mwanakomana waNuni.

13:9b.NUM.013.009 Vokurudzi rwaBhenjamini, Paruti, mwanakomana waRafu.

13:10b.NUM.013.010 Vokurudzi rwaZebhuruni, Gadhieri, mwanakomana waSodhi.

13:11b.NUM.013.011 Vokurudzi rwaJosefa, irwo rudzi rwaManase, Gadhi, mwanakomana waSusi.

13:12b.NUM.013.012 Vokurudzi rwaDhani, Amieri, mwanakomana waGemari.

13:13b.NUM.013.013 Vokurudzi rwaAsheri, Seturi, mwanakomana waMikaeri.

13:14b.NUM.013.014 Vokurudzi rwaNafutari, Nabhi, mwanakomana waVhofusi.

13:15b.NUM.013.015 Vokurudzi rwaGadhi, Geueri, mwanakomana waMaki.

13:16b.NUM.013.016 Ndiwo mazita avarume vakatumwa naMozisi kundoshora nyika. Mozisi akatumidza Hoshea, mwanakomana waNuni, zita rinonzi Joshua.

13:17b.NUM.013.017 Mozisi akavatuma kundoshora nyika yeKenani, akati kwavari, Endai nenzira iyi yeZasi, mukwire mumakomo;

13:18b.NUM.013.018 mundoona nyika, kuti yakadiniko, navanhu vageremo, kana vane simba, kana vasina, kana vari vashoma, kana vari vazhinji;

13:19b.NUM.013.019 nenyikawo yavageremo, kuti yakadiniko, kana yakanaka, kana yakaipa; namaguta mavagere, kuti akadiniko, kana vagere mumisasa kana munhare;

13:20b.NUM.013.020 nevhu, kuti rakadiniko, kana rakaorera kana risina kuorera, kana pane miti kana pasina miti; tsungai moyo, mugouya nezvibereko zvenyika iyo. Zvino yaiva nguva yokutanga kuibva kwamazambiringa.

13:21b.NUM.013.021 Naizvozvo vakakwira vakandoshora nyika, vachibva murenje reZini, kusvikira Rehobhu, pavanopinda Hamati.

13:22b.NUM.013.022 Vakapinda neZasi, vakasvika Hebhuroni; ipapo pakanga pana Ahimani naSheshai naTarimai, vanakomana vaAnaki. (Pakuvakwa Hebhuroni rakatangira Zoani paIjipiti namakore manomwe.)

13:23b.NUM.013.023 Vakandosvika pamupata weEshikori, vakatema davi raiva nesumbu rimwe ramazambiringa, vakaritakura padanda pakati pavanhu vaviri; vakauyawo namatamba namaonde.

13:24b.NUM.013.024 Nzvimbo iyo vakaitumidza mupata weEshikori nokuda kwesumbu rakatemwapo navana valsiraeri.

13:25b.NUM.013.025 Mazuva ana makumi mana akati apera, vakadzoka pakushora nyika.

13:26b.NUM.013.026 Vakasvika kuna Mozisi naAroni neungano yose yavana vaIsiraeri, murenje reParani paKadheshi, vakavaudza mashoko nokuvaratidza ivo neungano yose zvibereko zvenyika iyo.

13:27b.NUM.013.027 Vakamuudza, vakati, Takaenda kunyika iyo kwamakatituma; zvirokwazvo inoyerera mukaka nouchi; izvi ndizvo zvibereko zvayo.

13:28b.NUM.013.028 Asi vanhu vagere munyika iyo vane simba, maguta akakombwa namasvingo, makuru kwazvo; uye, takaonapo vana vaAnaki.

13:29b.NUM.013.029 VaAmareki vagere munyika nechezasi, navaHeti, navaJebhusi, navaAmori vagere mumakomo; vaKenani vagere pagungwa, nokurutivi rwaJorodhani.

13:30b.NUM.013.030 Ipapo Karebhu akanyaradza vanhu pamberi paMozisi akati, Ngatikwire pakarepo, tindoitora, nokuti tinogona kwazvo kuikunda.

13:31b.NUM.013.031 Asi vamwe varume vakanga vakwira naye, vakati, Hatigoni kukwira kundorwa navanhu avo, nokuti vanotikurira nesimba.

13:32b.NUM.013.032 Naizvozvo vakauya kuvana vaIsiraeri neshoko rakaipa pamusoro penyika iyo, yavakanga vaenda kundoishora, vachiti, Nyika iyo yatakapfuura napakati payo kuishora, inyika inopedza vanhu vageremo; vanhu vose vatakaonamo vaiva varume vakakura kwazvo.

13:33b.NUM.013.033 Takaonapo vanhu varefu, vana vaAnaki, vanobva pavarefu; kana tichizvifananidza, takanga takaita semhashu, ndozvatakanga takaita kwavariwo.

14

14:1b.NUM.014.001 Zvino ungano yose yakachema zvikuru; vanhu vakachema usiku ihwohwo.

14:2b.NUM.014.002 Vana vaIsiraeri vose vakapo potera Mozisi naAroni, ungano yose ikati kwavari, Haiwa, dai takafira hedu munyika yeIjipiti! Dai takafira hedu murenje rino!

14:3b.NUM.014.003 Jehovha akauyireiko nesu munyika ino, tiurawe nomunondo? Vakadzi vedu navana vedu vachatapwa. Hakuzaiva nani kuti tidzokere Ijipiti here?

14:4b.NUM.014.004 Vakataurirana, vakati, Ngatizvitsvakire mukuru, tidzokere Ijipiti.

14:5b.NUM.014.005 Ipapo Mozisi naAroni vakawira pasi nezviso zvavo pamberi peungano yose yavana vaIsiraeri.

14:6b.NUM.014.006 NaJoshua, mwanakomana waNuni, naKarebhu, mwanakomana waJefune, vakanga vandoshora nyika pamwechete navamwe, vakabvarura nguvo dzavo,

14:7b.NUM.014.007 vakataura neungano yose yavana vaIsiraeri vakati, Nyika yatakapfuura napakati payo kuishora, inyika yakanaka kwazvo-kwazvo.

14:8b.NUM.014.008 Kana Jehovha achifara nesu, achatiisa kunyika iyo, nokutipa iyo; inyika inoyerera mukaka nouchi.

14:9b.NUM.014.009 Asi regai kumukira Jehovha, uye musatya vanhu venyika iyo, nokuti ivo zvokudya zvedu; mumvuri wavo wabviswa pamusoro pavo, Jehovha anesu, regai kutya.

14:10b.NUM.014.010 Asi ungano yose yakati vatakwe namabwe. Ipapo kubwinya kwaJehovha kwakaonekwa mutende rokusangana navana vaIsiraeri vose.

14:11b.NUM.014.011 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Vanhu ava vachandizvidza kusvikira rinhiko? Vacharamba kunditenda ini kusvikira rinhiko, nezvishamiso zvose zvandakaita pakati pavo?

14:12b.NUM.014.012 Ndichavarova nedenda, nokuvatorera nhaka yavo, ndikuite iwe rudzi runovakunda ivo noukuru nesimba.

14:13b.NUM.014.013 Mozisi akati kuna Jehovha, VaIjipiti vachazvinzwa, nokuti makabudisa vanhu ava pakati pavo nesimba renyu;

14:14b.NUM.014.014 vachaudza vanhu vagere munyika ino izvozvo; ivo vakanzwa kuti imwi Jehovha muri pakati pavanhu ava, nokuti imwi Jehovha munoonekwa navo pachena, gore renyu rinomira pamusoro pavo, nemi munovatungamirira masikati neshongwe yegore, nousiku neshongwe yomoto.

14:15b.NUM.014.015 Zvino kana mukauraya vanhu ava vose-vose, ndudzi dzavanhu, dzakanzwa mukurumbira wenyu, dzichataura, dzichiti,

14:16b.NUM.014.016 Jehovha akanga asingagoni kuisa vanhu ava kunyika yaakanga avapikira, saka akavauraya murenje.

14:17b.NUM.014.017 Zvino ndinokumbira kuti simba raShe wangu rive guru, sezvamakataura, muchiti,

14:18b.NUM.014.018 Jehovha anononoka kutsamwa, ane nyasha huru, anokanganwira zvakaipa nokudarika; haangatongopembedzi munhu ane mhosva; anorova vana nokuda kwezvakaipa zvamadzibaba avo, kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina.

14:19b.NUM.014.019 Ndinokumbira kuti mukanganwire henyu zvakaipa zvavanhu ava noukuru hwenyasha dzenyu, uye sezvamakakanganwira vanhu ava kubva Ijipiti kusvikira zvino.

14:20b.NUM.014.020 Ipapo Jehovha akati, Ndakanganwira sezvawakumbira.

14:21b.NUM.014.021 Asi zvirokwazvo, noupenyu hwangu, uye nyika yose zvaichazara nokubwinya kwaJehovha,

14:22b.NUM.014.022 varume ava vose vakaona kubwinya kwangu nezviratidzo zvangu, zvandakaita muIjipiti nomurenje, vakandiidza zvino rune gumi, vasingateereri inzwi rangu,

14:23b.NUM.014.023 zvirokwazvo, havangaoni nyika yandakapikira madzibaba avo; hakuna mumwe wavakandizvidza achaiona,

14:24b.NUM.014.024 asi muranda wangu Karebhu, nokuti akanga ano mumwe mweya mukati make, akanditevera nomoyo wose, ndiye andichapinza munyika maakambopinda; ichava yavana vake.

14:25b.NUM.014.025 Zvino vaAmareki navaKenani vaigara mumupata uyo; mangwana dzokai, muende kurenje nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku.

14:26b.NUM.014.026 Zvino Jehovha wakataura naMozisi naAroni, akati,

14:27b.NUM.014.027 Ungano iyi yakaipa icharamba ichindinyunyutira kusvikira rinhiko? Ndakanzwa kunyunyuta kwavana vaIsiraeri, kwavanondinyunyutira nako.

14:28b.NUM.014.028 Uti kwavari, zvanzi naJehovha, Zvirokwazvo, noupenyu hwangu, sezvamakataura munzeve dzangu, ndizvo zvandichakuitirai.

14:29b.NUM.014.029 Zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino; imwi mose makaverengwa, nokuwanda kwenyu kwose, vose vana makore makumi maviri navanopfuura, vakandinyunyutira,

14:30b.NUM.014.030 zvirokwazvo, imwi hamungapindi munyika yandakupikirai, ndichiti, ndichakugarisaimo, asi Karebhu, mwanakomana waJefune, naJoshua, mwanakomana waNuni.

14:31b.NUM.014.031 Asi vana venyu vamakati vachatapwa, ndivo vandichapinza; ivo vachaziva nyika yamakaramba imwi.

14:32b.NUM.014.032 Asi kana murimwi, zvitunha zvenyu zvichawira murenje, rino.

14:33b.NUM.014.033 Vana venyu vachadzungaira savafudzi murenje makore ana makumi mana, vachirohwa nokuda kwokupata kwenyu, kusvikira zvitunha zvenyu zvaparadzwa murenje.

14:34b.NUM.014.034 Samazuva amakanga muchishora nyika nawo, iwo mazuva ana makumi mana, saizvozvo muchava nemhosva yokutadza kwenyu, zuva rimwe nerimwe richaita gore rimwe, ndiwo makore ana makumi mana, mugoziva kuti ndakakufuratirai.

14:35b.NUM.014.035 Ini Jehovha, ndakataura izvozvo, ndichaitira saizvozvo ungano iyi yose yakaipa, yakaungana kuzorwa neni; vachaparadzwa murenje rino, vachafirapo.

14:36b.NUM.014.036 Zvino varume vakanga vatumwa naMozisi vaya kundoshora nyika, vaya vakadzoka vonyunyutisa ungano yose pamusoro pake, zvavakauya namashoko akaipa pamusoro penyika iyo,

14:37b.NUM.014.037 varume avo vakanga vauya neshoko rakaipa pamusoro penyika iyo, vakafa nedenda pamberi paJehovha.

14:38b.NUM.014.038 Asi Joshua, mwanakomana waNuni, naKarebhu, mwanakomana waJefune, vakasara vari vapenyu pavarume vaya vakandoshora nyika.

14:39b.NUM.014.039 Zvino Mozisi wakaudza vana vaIsiraeri mashoko iwaya ose; vanhu vakachema kwazvo;

14:40b.NUM.014.040 vakafumira mangwanani, vakakwira kumusoro wegomo, vakati, Tarirai, tiri pano hedu, tichandokwira kwatakarairwa naJehovha, nokuti tatadza.

14:41b.NUM.014.041 Mozisi akati, Munodarikireiko murayiro waJehovha, nokuti muchaona nhamo.

14:42b.NUM.014.042 Musakwira, nokuti Jehovha haazi pakati penyu; kuti murege kuparadzwa navavengi venyu.

14:43b.NUM.014.043 Nokuti vaAmareki navaKenani vari mberi kwenyu ipapo; muchaurawa nomunondo, nokuti makadzoka pakutevera Jehovha, naizvozvo Jehovha haangavi nemi.

14:44b.NUM.014.044 Kunyange zvakadaro vakaidza havo kukwira kumusoro wegomo nokuzvikudza kwavo; asi areka yesungano yaJehovha haina kubva pamisasa, naiye Mozisiwo.

14:45b.NUM.014.045 Ipapo vaAmareki navaKenani vakanga vagere mugomo iro vakaburuka, vakavaparadza nokuvadzingirira kusvikira paHoma.

15

15:1b.NUM.015.001 Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,

15:2b.NUM.015.002 Taura navana vaIsraeri, uti kwavari, Kana mapinda munyika yamunozogara, yandinokupai;

15:3b.NUM.015.003 kana muchida kugadzirira Jehovha chipiriso pamoto, chipiriso chinopiswa, kana chibayiro, chokupika nacho, kana chokungopa nokuda kwenyu, kana pamitambo yenyu yakatarwa, kuti mupe Jehovha chinonhuwira zvakanaka, chemombe kana chamakwai;

15:4b.NUM.015.004 zvino iye unopa chipo chake, anofanira kupa Jehovha chipiriso choupfu chechegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa nechechina chehini yamafuta;

15:5b.NUM.015.005 unofanira kugadzirawo waini yechipiriso chinodururwa, chechina chehini, pamwechete nechipiriso chinopiswa, kana nechibayiro, pagwayana rimwe nerimwe.

15:6b.NUM.015.006 Kana riri gondohwe, unofanira kurigadzirira chipiriso choupfu chezvegumi zviviri zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa nechetatu chehini yamafuta;

15:7b.NUM.015.007 unofanira kupawo chetatu chehini yewaini, chive chipiriso chinodururwa, chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.

15:8b.NUM.015.008 Kana uchigadzira nzombe duku kuti chive chipiriso chinopiswa, kana chibayiro chokupika nacho, kana kuti zvive zvipiriso zvokuyananisa nazvo kuna Jehovha;

15:9b.NUM.015.009 pamwechete nenzombe duku ngaauye nechipiriso choupfu chezvegumi zvitatu zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa nehafu yehini yamafuta.

15:10b.NUM.015.010 Unofanira kupawo hafu yehini yewaini, chive chipiriso chinodururwa, chive chipiriso chinoitwa pamoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.

15:11b.NUM.015.011 Ngazviitwe saizvozvo panzombe imwe neimwe, kana gondohwe rimwe nerimwe, kana gwayana rimwe nerimwe, kana mbudzana imwe neimwe.

15:12b.NUM.015.012 Munofanira kuitira chimwe nechimwe saizvozvo, zvienzane nezvose zvamunogadzira.

15:13b.NUM.015.013 Vose vanoberekerwa munyika yenyu vanofanira kuita izvozvo nenzira iyi, kana vachiuya nechipiriso chinopiswa, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.

15:14b.NUM.015.014 Kana kune mutorwa agere nemi, kana ani naani ari pakati penyu kusvikira kumarudzi enyu ose, kana achida kuuya nechipiriso chinopiswa, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha; sezvamunoita imwi, naiye anofanira kuitawo saizvozvo.

15:15b.NUM.015.015 Paungano yenyu panofanira kuva nomutemo mumwe wenyu nowomutorwa agere nemi, uve murayiro usingaperi, kusvikira kumarudzi enyu ose; sezvamakaita imwi, ndizvo zvinofanira kuita mutorwa pamberi paJehovha.

15:16b.NUM.015.016 Munofanira kuva nomurayiro mumwe netsika imwe, imwi nomutorwa agere nemi.

15:17b.NUM.015.017 Jehovha akataura naMozisi, akati,

15:18b.NUM.015.018 Taura navana vaIsiraeri uti kwavari kana muchisvika kunyika kwandinokuisai,

15:19b.NUM.015.019 kana modya zvokudya zvenyika, munofanira kupa Jehovha chipiriso chinotsaurwa.

15:20b.NUM.015.020 Pazvitsva zvoupfu hwenyu munofanira kuuya nechingwa chive chipiriso chinotsaurwa; sezvamunoita nechipiriso chinotsaurwa cheburiro, munofanira kuchitsaura saizvozvo.

15:21b.NUM.015.021 Munofanira kupa Jehovha pazvitsva zvoupfu hwenyu chipiriso chinotsaurwa kusvikira kumarudzi enyu ose.

15:22b.NUM.015.022 Kana muchitadza, musingachengeti mirairo iyi yose, yakataurwa naJehovha kuna Mozisi,

15:23b.NUM.015.023 zvose zvamakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi, kubva pazuva rakatanga kuraira Jehovha, kusvikira kumarudzi enyu ose,

15:24b.NUM.015.024 zvino kana zvichinge zvaitwa ungano isingazivi, ungano yose inofanira kuuya nenzombe imwe duku, chive chipiriso chinopiswa, chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha, pamwechete nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa, sezvakarairwa, nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi.

15:25b.NUM.015.025 mupirisiti anofanira kuyananisira ungano yose yavana vaIsiraeri, vakanganwirwe; nokuti kwaiva kutadza, vakazouya nechipo chavo pamberi paJehovha, chiri chipiriso chinoitirwa Jehovha pamoto, nechipiriso chezvivi pamusoro pokutadza kwavo.

15:26b.NUM.015.026 Ipapo ungano yose yavana vaIsiraeri ichakanganwirwa, nomutorwa agere pakati pavo; nokuti vanhu vose vakanga vazviita havo nokusaziva.

15:27b.NUM.015.027 Kana munhu mumwe akatadza nokusaziva, anofanira kuuya nesheche yembudzi yegore rimwe, chive chipiriso chezvivi.

15:28b.NUM.015.028 Zvino mupirisiti anofanira kuyananisira munhu ,akatadza, kana akaita zvivi nokusaziva, . pamberi paJehovha, kuti amuyananisire, akanganwirwe.

15:29b.NUM.015.029 Munofanira kuva nomurayiro mumwechete pamusoro pomunhu akaita chinhu nokusaziva, kana ari munhu akaberekerwa panyika pakati pavana vaIsiraeri, kana ari mutorwa agere pakati pavo.

15:30b.NUM.015.030 Asi munhu anoita chinhu nokuzvikudza, kana ari munhu akaberekerwa munyika, kana ari mutorwa, iye anomhura Jehovha; munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.

15:31b.NUM.015.031 Nokuti akazvidza shoko raJehovha, akaputsa murayiro wake; munhu uyu anofanira kubviswa chose; mhosva yokutadza kwake iri pamusoro pake. Munhu akadarika murayiro weSabata anourawa

15:32b.NUM.015.032 Zvino vana vaIsiraeri vachiri murenje, vakaona munhu achiunganidza tsotso nomusi weSabata.

15:33b.NUM.015.033 Avo vakamuwana achiunganidza tsotso vakamuisa kuna Mozisi naAroni, nokuungano yose.

15:34b.NUM.015.034 Vakamuisa mutorongo, nokuti kwakanga kusina kurehwa zvaaifanira kuitirwa.

15:35b.NUM.015.035 Jehovha akati kuna Mozisi, Munhu uyu, zvirokwazvo, anofanira kuurawa; ungano yose inofanira kumutaka namabwe kunze kwemisasa.

15:36b.NUM.015.036 Ipapo ungano yose yakamuisa kunze kwemisasa, vakamutaka namabwe, akafa; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha. Chiratidzo chinofanira kuiswa panguvo dzavo

15:37b.NUM.015.037 Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,

15:38b.NUM.015.038 Taura navana vaIsiraeri, uvaraire kuti vazviitire masa pamipendero yenguvo dzavo, kusvikira kumarudzi avo ose, vaise paisa rimwe nerimwe pamupendero rwonzi rutema.

15:39b.NUM.015.039 Chinofanira kuva kwamuri isa ramungasiona, mugorangarira mirairo yose yaJehovha, kuti muiite; kuti murege kutevera kuda kwomoyo yenyu nokwameso enyu, kwamaisitevera pakupata kwenyu;

15:40b.NUM.015.040 kuti murangarire nokuita mirairo yangu yose, nokuva vatsvene kuna Mwari wenyu.

15:41b.NUM.015.041 Ndini Jehovha wenyu, akakubudisai munyika yeIjipiti, kuti ndive Mwari wenyu; ndini Jehovha Mwari wenyu.

16

16:1b.NUM.016.001 Zvino Kora, mwanakomana waIzari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi, naDhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu, naOni, mwanakomana waPereti, vanakomana vaRubheni, vakatora varume,

16:2b.NUM.016.002 vakamukira Mozisi, vana vamwe vavana vaIsiraeri, vaiva vakuru veungano. vana mazana maviri namakumi mashanu, vakanga vakadanwa kumakurukota, varume vakanga vakakurumbira;

16:3b.NUM.016.003 vakaunganira kuna Mozisi naAroni, vakati kwavari,Zvaringana, nokuti vanhu vose veungano vatsvene, mumwe nomumwe wavo; Jehovha ari pakati pavo; imwi munozvikudzireiko pamakurukota aJehovha?

16:4b.NUM.016.004 Mozisi akati achizvinzwa, akawira pasi nechiso chake;

16:5b.NUM.016.005 akataura naKora neboka rake rose, akati, Mangwana Jehovha acharatidza kuti vanhu vake ndivanani, uye kuti mutsvene ndiani, uye kuti ndiani waachaswededza kwaari; iye waanotsaura, ndiye waachazoswededza kwaari.

16:6b.NUM.016.006 Itai kudai: Torai hadyana dzezvinonhuwira, iwe Kora, neveboka rako rose;

16:7b.NUM.016.007 mangwana muise moto mukati madzo, nokuisawo zvinonhuwira pamusoro padzo pamberi paJehovha; zvino munhu anotsaurwa naJehovha, ndiye achava mutsvene. Zvaringana, imwi vanakomana vaRevhi.

16:8b.NUM.016.008 Mozisi akatiwo kuna Kora, Teererai, imwi vanakomana vaRevhi:

16:9b.NUM.016.009 Ko munoti chinhu chiduku kuti Mwari waIsiraeri akakutsaurai paungano yaIsiraeri, kuti akuswededzei kwaari, kuti mubate basa retabhenakeri yaJehovha, nokumira pamberi peungano, nokuvabatira,

16:10b.NUM.016.010 akakuswededza, nehama dzako dzose, vanakomana vaRevhi, pamwechete newe here? Zvino motsvaka upirisitiwo here?

16:11b.NUM.016.011 Naizvozvo iwe neboka rako rose maungana kuzorwa naJehovha; Aroni ndianiko, zvamunomupopotera iye?

16:12b.NUM.016.012 Ipapo Mozisi akatuma munhu kundodana Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu; asi ivo vakati, Hatidi kukwirako.

16:13b.NUM.016.013 Chinhu chiduku here zvawakatibudisa munyika inoyerera mukaka nouchi, kuti utiurayire murenje; zvino woda kuzviita ishe pamusoro pedu here?

16:14b.NUM.016.014 Uye hauna kutiisa munyika inoyerera mukaka nouchi, kana kutipa nhaka yeminda neyeminda yemizambiringa; zvino unoda kutumbura meso avanhu ava here? Hatidi kukwirako.

16:15b.NUM.016.015 Ipapo Mozisi akatsamwa kwazvo, akati kuna Jehovha, Musagamuchira chipiriso chavo; handina kuvatorera mbongoro imwe, handina kuitira mumwe wavo zvakaipa.

16:16b.NUM.016.016 Ipapo Mozisi akati kuna Kora, Iwe neboka rako rose, uyai pamberi paJehovha mangwana, iwe, naivo, naAroni;

16:17b.NUM.016.017 mumwe nomumwe atore hadyana yake yezvinonhuwira, muise zvinonhuwira mukati madzo, muuye nadzo pamberi paJehovha, mumwe nomumwe hadyana yake yezvinonhuwira, hadyana dzina mazana maviri namakumi mashanu; newewo, naAroni, mumwe nomumwe hadyana yake.

16:18b.NUM.016.018 Zvino mumwe nomumwe akatora hadyana yake, akaisa moto mukati mayo, akaisawo zvinonhuwira pamusoro padzo, akandomira pamukova wetende rokusangana, pamwechete naMozisi naAroni.

16:19b.NUM.016.019 Kora akaunganidza ungano yose pamukova wetende rokusangana; kubwinya kwaJehovha kukaonekwa neungano yose.

16:20b.NUM.016.020 Ipapo Jehovha akataura naMozisi naAroni, akati,

16:21b.NUM.016.021 Zvitsaurei imwi paungano iyi, ndivaparadze pakarepo.

16:22b.NUM.016.022 Zvino vakawira pasi nezviso zvavo, vakati, Haiwa, Mwari, Mwari wemweya yavanhu vose, ko kana munhu mumwe akatadza, mungatsamwira ungano yose here?

16:23b.NUM.016.023 Ipapo Jehovha akataura naMozisi, akati,

16:24b.NUM.016.024 Taura neungano, uti, Ibvai patabhenakeri yaKora, naDhatani, naAbhiramu.

16:25b.NUM.016.025 Ipapo Mozisi akasimuka, akaenda kuna Dhatani naAbhiramu; vakuru vaIsiraeri vakamutevera.

16:26b.NUM.016.026 Akataura neungano, akati, Ibvai pamatende avarume ava vakaipa, musatongobata chinhu chavo, kuti murege kuparadzwa pazvivi zvavo zvose.

16:27b.NUM.016.027 Naizvozvo vakabva patabhenakeri yaKora, naDhatani, naAbhiramu, kumativi ose, Dhatani naAbhiramu vakabuda, vakandomira pamikova yamatende avo navakadzi vavo navana vavo, nezvana zvavo zviduku.

16:28b.NUM.016.028 Zvino Mozisi akati, Muchaziva nezvizvi kuti Jehovha akandituma kuti ndiite mabasa awa ose; nokuti handina kuaita nokuda kwangu.

16:29b.NUM.016.029 Kana varume ava vakafa savamwe vanhu vose, kana zvimwe vakasvikirwa nezvinosvikira vamwe vanhu vose, Jehovha haana kundituma.

16:30b.NUM.016.030 Asi kana Jehovha akasika chinhu chitsva, panyika ikashamisa muromo wayo, ikavamedza, ivo nezvose zvavo, vakaburukira muhwiro vari vapenyu, ipapo muchaziva kuti varume ava vakazvidza Jehovha.

16:31b.NUM.016.031 Zvino akati apedza kutaura mashoko awa ose, pasi pavo pakatsemuka,

16:32b.NUM.016.032 nyika ikashamisa muromo wayo, ikavamedza, ivo nemhuri dzavo, navanhu vose vakanga vari vaKora, nenhumbi dzavo dzose.

16:33b.NUM.016.033 Naizvozvo ivo, nezvose zvavo, vakaburukira kuhwiro vari vapenyu; ivhu rikavafukidza, vakaparadzwa pakati peungano.

16:34b.NUM.016.034 Ipapo vaIsiraeri vose vakanga vakavakomba vakatiza nokuchema kwavo, nokuti vakati, Nyika irege kutimedzawo.

16:35b.NUM.016.035 Ipapo moto ukabuda kuna Jehovha, ukaparadza varume avo vaiva namazana maviri namakumi mashanu, vakanga vachipisira zvinonhuwira.

16:36b.NUM.016.036 Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,

16:37b.NUM.016.037 Taura naEreazari, mwanakomana waAroni mupirisiti, kuti anonge hadyana dzezvinonhuwira pakati pomoto, iwe uparadzire moto kure, nokuti hadyana itsvene;

16:38b.NUM.016.038 idzo hadyana dzezvinonhuwira dzavanhu avo vakatadza vakaurawa, dzipambadzirwe, kufukidza aritari nadzo; nokuti vakanga vauya nadzo pamberi paJehovha, naizvozvo itsvene; chichava chiratidzo kuvana vaIsiraeri.

16:39b.NUM.016.039 Zvino mupirisiti Ereazari akatora hadyana dzezvinonhuwira dzendarira, dzakanga dzauyiswa navakazopiswa, akadzipambadzira kuti aritari ifukidzwe nadzo;

16:40b.NUM.016.040 kuti chive chirangaridzo kuvana vaIsiraeri, kuti mutorwa, asati ari worudzi rwaAroni, arege kuswedera kuti apise zvinonhuwira pamberi paJehovha, arege kuzoitirwa saKora neboka rake; sezvakataura Jehovha naye nomuromo waMozisi.

16:41b.NUM.016.041 Fume mangwana ungano yose yavana valsiraeri yakapopotera Mozisi naAroni, vachiti, imwi makauraya vanhu vaJehovha.

16:42b.NUM.016.042 Zvino ungano yakati yaungana kuzorwa naMozisi naAroni, vakatarira kutende rokusangana, vakaona kuti gore rarifukidza, nokubwinya kwaJehovha kukaonekwa.

16:43b.NUM.016.043 Ipapo Mozisi naAroni vakandomira pamberi petende rokusangana,

16:44b.NUM.016.044 Jehovha akataura naMozisi, akati,

16:45b.NUM.016.045 Ibvai paungano iyi, ndivaparadze pakarepo. Ivo vakawira pasi nezviso zvavo.

16:46b.NUM.016.046 Mozisi akati kuna Aroni, Tora hadyana yako yezvinonhuwira, uise moto unobva paaritari mukati mayo, nokuisawo zvinonhuwira pamusoro payo, ukurumidze kuenda nazvo kuungano, uvayananisire; nokuti Jehovha atsamwa, denda ratanga.

16:47b.NUM.016.047 Aroni akaitora, sezvakataura Mozisi, akamhanyira pakati peungano, onei denda rakanga ratanga pakati pavanhu; akaisa zvinonhuwira pamusoro payo, akayananisira vanhu.

16:48b.NUM.016.048 Akandomira pakati pavakafa navapenyu, denda rikaguma.

16:49b.NUM.016.049 Zvino vakanga vafa nedenda vakasvika zviuru zvine gumi nezvina namazana manomwe, vakanga vafa nokuda kwaKora vasingaverengwi.

16:50b.NUM.016.050 Ipapo Aroni akadzokera kuna Mozisi kumukova wetende rokusangana, denda rikaguma.

17

17:1b.NUM.017.001 Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,

17:2b.NUM.017.002 Taura navana vaIsiraeri, utore kwavari tsvimbo, imwe paimba imwe neimwe yamadzibaba avo, tsvimbo dzine gumi nembiri, pamachinda avo ose nedzimba dzamadzibaba avo; zvino unofanira kunyora zita romumwe nomumwe patsvimbo yake.

17:3b.NUM.017.003 Asi zita raAroni unofanira kurinyora patsvimbo yaRevhi; nokuti kunofanira kuva netsvimbo imwe yomukuru mumwe nomumwe wedzimba dzamadzibaba avo.

17:4b.NUM.017.004 Zvino unofanira kudzichengeta mutende rokusangana pamberi peareka yechipupuriro, pandinosangana nemi.

17:5b.NUM.017.005 Ipapo munhu andichatsaura, tsvimbo yake ichabuka, kuti ndigumise kunyunyuta kwavana vaIsiraeri kwavanokunyunyutira nako.

17:6b.NUM.017.006 Zvino Mozisi akataura navana vaIsiraeri, machinda avo ose akamupa tsvimbo, imwe yomuchinda mumwe nomumwe nedzimba dzamadzibaba avo, ndidzo tsvimbo gumi nembiri; netsvimbo yaAroni yakanga iri pakati petsvimbo dzavo.

17:7b.NUM.017.007 Mozisi akachengeta tsvimbo idzo pamberi paJehovha mutende rechipupuriro.

17:8b.NUM.017.008 Fume mangwana Mozisi akapinda mutende rechipupuriro, onei tsvimbo yaAroni yeimba yaRevhi yakanga yabuka, yava namabukira, yabudisa maruva, yabereka maamanda akanga aibva.

17:9b.NUM.017.009 Ipapo Mozisi akabudisa tsvimbo dzose pamberi paJehovha kuvanhu vaIsiraeri vose; vakatarira, mumwe nomumwe akatora tsvimbo yake.

17:10b.NUM.017.010 Jehovha akati kuna Mozisi, Dzosera tsvimbo yaAroni pamberi pechipupuriro, ichengetwe chive chiratidzo chavanhu vakandimukira; kuti ugumise kundinyunyutira kwavo, varege kufa.

17:11b.NUM.017.011 Mozisi akaita saizvozvo; sezvaakarairwa naJehovha, ndizvo zvaakaita.

17:12b.NUM.017.012 Vana vaIsiraeri vakataura naMozisi, vakati, Tarira, tofa, topera, topera tose.

17:13b.NUM.017.013 Mumwe nomumwe anoswedera, anoswedera kutabhenakeri yaJehovha, anofa; zvino tichafa tose kanhi?

18

18:1b.NUM.018.001 Zvino Jehovha akati kuna Aroni, Iwe navanakomana vako, naveimba yababa vako pamwechete newe, munofanira kutakura zvakaipa zveimba tsvene; iwe navanakomana vako pamwechete newe munofanira kutakura zvakaipa zvoupirisiti hwenyu.

18:2b.NUM.018.002 Nehama dzako dzorudzi rwaRevhi, dzorudzi rwababa vako, udziswededze pamwechete newe, dzive newe, dzikubatire; asi iwe navanakomana vako pamwechete newe, munofanira kuva pamberi petende rechipupuriro.

18:3b.NUM.018.003 Vanofanira kukuchengeta iwe nokuchengeta Tende rose; asi havafaniri kuswedera kunhumbi dzeimba tsvene nearitari, kuti varege kufa, kana ivo kana imwi.

18:4b.NUM.018.004 Vanofanira kuva newe, nokuchengeta tende rokusangana, nokuita mabasa ose etende; asina kufanira haafaniri kuswedera kwamuri.

18:5b.NUM.018.005 Munofanira kuchengeta imba tsvene, nokuchengeta aritari, kuti kutsamwa kurege kuuya pamusoro pavana vaIsiraeri.

18:6b.NUM.018.006 Ini ndimene, tarirai, ndakatsaura hama dzenyu vaRevhi pakati pavana vaIsiraeri, vave chipo kwamuri, vanhu vakapiwa Jehovha, kuti vabate mabasa etende rokusangana.

18:7b.NUM.018.007 Iwe navana vako pamwechete newe munofanira kubata basa roupirisiti hwenyu pazvinhu zvose zvearitari, nezvose zviri mukati mechidzitiro; ndipo pamunofanira kubata; ndinokupai upirisiti, chive chipo chebasa; asi asina kufanira, anoswedera, anofanira kuurawa.

18:8b.NUM.018.008 Jehovha akataurawo naAroni, akati, Ini, tarira, ndakakupa basa rokuchengeta zvipiriso zvangu zvinotsaurwa, izvo zvinhu zvose zvakatsaurwa zvavana vaIsiraeri; ndakakupa izvo uve mugove wako nowavanakomana vako nokusingaperi.

18:9b.NUM.018.009 Zvinhu izvi ndizvo zvinofanira kuva zvako pazvinhu zvitsvene zvikuru, zvakasara kana zvimwe zvapiswa, zvinoti: Zvipo zvavo zvose, izvo zvipiriso zvavo zvose zvoupfu, nezvipiriso zvavo zvose zvezvivi, nezvipiriso zvavo zvose zvemhosva, zvavanondipa, izvo zvinofanira kuva zvitsvene zvikuru kwauri nokuvanakomana vako.

18:10b.NUM.018.010 Munofanira kuzvidya panzvimbo tsvene-tsvene; varume vose vanofanira kuzvidya; zvinofanira kuva zvitsvene kwamuri.

18:11b.NUM.018.011 Izvi ndizvo zvako: Chipiriso chinotsaurwa nezvipo zvavo, izvo zvipiriso zvose zvinozunguzirwa zvavana vaIsiraeri; ndakakupa izvo, iwe, navanakomana vako, navanasikana vako pamwechete newe, zvive zvenyu nokusingaperi; vose vakanaka mumba mako vangazvidya.

18:12b.NUM.018.012 Ndakakupa mafuta ose akaisvonaka, newaini yakaisvonaka, nezviyo zvose zvakaisvonaka, izvo zvitsva zvazvo zvavanopa Jehovha.

18:13b.NUM.018.013 Zvibereko zvitsva zvose nezvose zviri munyika yavo, zvavanouya nazvo kuna Jehovha, zvinofanira kuva zvako; mumwe nomumwe akanaka mumba mako angazvidya.

18:14b.NUM.018.014 Zvose zvakayeriswa pakati palsiraeri zvinofanira kuva zvako.

18:15b.NUM.018.015 Zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, panyama yose yavanouyisa kuna Jehovha, kana zviri zvavanhu, kana zvezvipfuwo, zvinofanira kuva zvako; kunyange zvakadaro matangwe avanhu unofanira kuadzikunura; vana vose vemhongora dzezvipfuwo unofanira kuvadzikunurawo.

18:16b.NUM.018.016 Zvose zvinofanira kudzikunurwa pazviri, zvomwedzi mumwe nezvinopfuura, unofanira kuzvidzikunura sezvaunotara iwe, nemari inosvika pamashekeri mashanu, zvichienzaniswa neshekeri rapaimba tsvene (rakaenzana namagera ana makumi maviri.)

18:17b.NUM.018.017 Asi usadzikunura mwana wemhongora yemombe, kana yegwai, kana yembudzi, zvitsvene; unofanira kusasa ropa razvo pamusoro pearitari, nokupisa mafuta azvo, chive chipiriso chinopiswa, chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.

18:18b.NUM.018.018 Asi nyama yazvo inofanira kuva yako, zvinofanira kuva zvako sechityu chinozunguzirwa nebandauko rorudyi.

18:19b.NUM.018.019 Zvipiriso zvose zvinotsaurwa zvezvinhu zvinopiwa Jehovha navana vaIsiraeri, ndakakupa izvo, iwe navanakomana vako navanasikana vako pamwechete newe, zvive zvako nokusingaperi; isungano yomunyu nokusingaperi pamberi paJehovha, kwauri navazukuru vako pamwechete newe.

18:20b.NUM.018.020 Zvino Jehovha akati kuna Aroni, Iwe haungavi nenhaka panyika yavo, haungavi nomugove pakati pavo; ini ndiri mugove wako nenhaka yako pakati pavana valsiraeri.

18:21b.NUM.018.021 Tarira, vana vaRevhi ndakavapa zvegumi zvezvose zvavana vaIsiraeri, ive nhaka yavo, uve mubayiro webasa ravanobata, iro basa rapatende rokusangana.

18:22b.NUM.018.022 Kubva zvino vana vaIsiraeri ngavarege kuswedera kutende rokusangana, kuti varege kuva nemhosva yezvivi zvavo, vakafa.

18:23b.NUM.018.023 Asi vaRevhi vanofanira kubata basa rapatende rokusangana, ivo vanofanira kutakura zvakaipa zvavo; unofanira kuva mutemo nokusingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose; havangavi nenhaka pakati pavana vaIsiraeri.

18:24b.NUM.018.024 Nokuti zvegumi zvavana vaIsiraeri zvavanopa Jehovha, zvive zvipiriso zvinotsaurwa, ndizvo zvandakapa vaRevhi, kuti ive nhaka yavo; naizvozvo ndakati kwavari, havangavi nenhaka pakati pavana vaIsiraeri.

18:25b.NUM.018.025 Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,

18:26b.NUM.018.026 Taura navaRevhi, uti kwavari, Kana muchitora kuvana vaIsiraeri zvegumi zvavo zvandakakupai, kuti ive nhaka yenyu, munofanira kupa Jehovha chegumi chezvegumi izvo, chive chipiriso chinotsaurwa.

18:27b.NUM.018.027 Chipiriso chenyu chinotsaurwa chichaverengwa kwamuri sezviyo zviri paburiro, uye sewaini izere muchisviniro chewaini.

18:28b.NUM.018.028 Saizvozvo nemiwo muchapa Jehovha chipiriso chinotsaurwa chezvegumi zvenyu zvose zvamunopiwa navana vaIsiraeri; zvino kuna izvozvo munofanira kupa Aroni mupirisiti chipiriso chinotsaurwa chaJehovha.

18:29b.NUM.018.029 Pazvose zvamunopiwa, munofanira kupa Jehovha zvipiriso zvenyu zvose zvinotsaurwa, muchitsaura zvakaisvonaka kwazviri, mugove wakatsaurwa pakati pazvo.

18:30b.NUM.018.030 Naizvozvo uti kwavari, Kana matsaura zvakaisvonaka kwazviri, zvinofanira kuverengerwa vaRevhi sezvakapurwa paburiro, nezvakasviniwa pachisviniro chewaini.

18:31b.NUM.018.031 Munofanira kuzvidya panzvimbo dzose, imwi nemhuri dzenyu; nokuti ndiwo mubayiro wenyu webasa ramunobata patende rokusangana.

18:32b.NUM.018.032 Hamungazovi nezvivi nokuda kwazvo, kana mambotsaura zvakaisvonaka kwazviri; hamufaniri kuzvidza zvinhu zvitsvene zvavana vaIsiraeri, kuti murege kufa.

19

19:1b.NUM.019.001 Zvino Jehovha akataura naMozisi naAroni, akati,

19:2b.NUM.019.002 Ndiwo murayiro wakarairwa naJehovha, achiti: Taura navana vaIsiraeri vauye kwauri netsiru dzvuku risina mhosva, risina kuremara, risina kumboiswa joko.

19:3b.NUM.019.003 Zvino munofanira kuripa Ereazari mupirisiti, iye aribudise kunze kwemisasa, rigourawa pamberi pake.

19:4b.NUM.019.004 Ipapo Ereazari mupirisiti anofanira kutora ropa raro nomunwe wake, nokusasa ropa raro kanomwe kurutivi rwemberi rwetende rokusangana;

19:5b.NUM.019.005 zvino tsiru rinofanira kupiswa pamberi pake; dehwe raro, nenyama yaro, neropa raro, pamwechete namazvizvi aro, zvinofanira kupiswa.

19:6b.NUM.019.006 Zvino mupirisiti anofanira kutora rutanda rwomusidhari nehisopi, nomucheka mutsvuku, ndokuzvikandira pakati pomoto unopisa tsiru.

19:7b.NUM.019.007 Ipapo mupirisiti anofanira kusuka nguvo dzake, nokushambidza muviri wake nemvura ndokuzopinda mumisasa mupirisiti agova asina kunaka kusvikira madeko.

19:8b.NUM.019.008 Nomunhu anoripisa anofanira kusuka nguvo dzake nemvura, nokushambidza muviri wake nemvura, agova asina kunaka kusvikira madeko.

19:9b.NUM.019.009 Zvino mumwe munhu akanaka anofanira kuunganidza madota etsiru, ndokuachengeta kunze kwemisasa panzvimbo yakanaka, kuti achengeterwe ungano yavana vaIsiraeri, kuzoita nawo mvura yokunatsa nayo; chipiriso chezvivi.

19:10b.NUM.019.010 Zvino iye akaunganidza madota etsiru, anofanira kusuka nguvo dzake, agova asina kunaka kusvikira madeko; unofanira kuva mutemo usingaperi kuvana vaIsiraeri nokuvatorwa vagere pakati pavo.

19:11b.NUM.019.011 Munhu anobata chitunha chomunhu upi noupi, anofanira kuva asina kunaka mazuva manomwe.

19:12b.NUM.019.012 Iye anofanira kuzvinatsa nayo nezuva retatu, agova akanaka nezuva rechinomwe; asi kana asingazvinatsi nezuva retatu, haangavi akanaka nezuva rechinomwe.

19:13b.NUM.019.013 Ani naani anobata akafa, chiri chitunha chomunhu upi noupi akafa, akasazvinatsa, anosvibisa tabhenakeri yaJehovha; munhu uyo anofanira kubviswa pakati pavaIsiraeri; mvura inonatsa zvaisina kusaswa pamusoro pake, anofanira kuva asina kunaka; tsvina yake ichiri kwaari.

19:14b.NUM.019.014 Ndiwo murayiro kana munhu akafa mutende: Mumwe nomumwe anopinda mutende, nomumwe nomumwe ari mutende, achava asina kunaka mazuva manomwe.

19:15b.NUM.019.015 Nemidziyo yose yakashama, isina chifunhiro chakasungirwa, ichava isina kunaka.

19:16b.NUM.019.016 Ani naani anobata munhu akaurawa kusango nomunondo, kana chitunha, kana pfupa romunhu, kana hwiro, achava asina kunaka mazuva manomwe.

19:17b.NUM.019.017 Zvino munhu asina kunaka anofanira kundotorerwa madota echipiriso chezvivi chakapiswa, mvura inoyerera igodirwa pamusoro pawo mumudziyo,

19:18b.NUM.019.018 zvino munhu akanaka anofanira kutora hisopi, ndokuinyika mumvura, ndokuisasa patende, napanhumbi dzose, napavanhu vose vaivapo, napamunhu akabata pfupa, kana akanga aurawa, kana akafa, kana hwiro;

19:19b.NUM.019.019 zvino munhu akanaka anofanira kusasa munhu usina kunaka nezuva retatu nerechinomwe; nezuva rechinomwe anofanira kumunatsa; zvino iye anofanira kusuka nguvo dzake, nokuzvishambidza nemvura, agova akanaka madeko.

19:20b.NUM.019.020 Asi kana, munhu akasvibiswa akasazvinatsa, munhu uyo anofanira kubviswa pakati peungano, nokuti asvibisa imba tsvene yaJehovha; mvura inonatsa haina kusaswa pamusoro pake; haana kunaka.

19:21b.NUM.019.021 Unofanira kuva mutemo usingaperi kwavari. Munhu anosasa mvura inonatsa, anofanira kusuka nguvo dzake; naiye anobata mvura inonatsa, achava asina kunaka kusvikira madeko.

19:22b.NUM.019.022 Nezvose zvinobatwa nomunhu usina kunaka,zvichava zvisina kunaka nomunhu unozvibata uchava usina kunaka kusvika madeko.

20

20:1b.NUM.020.001 Zvino vana vaIsiraeri, ungano yose, vakasvika murenje reZini nomwedzi wokutanga, vanhu vakagara paKadheshi. Miriami akafirapo, akavigwawopo.

20:2b.NUM.020.002 Ipapo pakanga pasina mvura yokunwa yeungano yose; zvino vanhu vakaunganira kuna Mozisi naAroni.

20:3b.NUM.020.003 Vanhu vakarwa naMozisi, vakataura, vachiti, Dai takafa hedu nguva yakafa hama dzedu pamberi paJehovha!

20:4b.NUM.020.004 Makauyisireiko ungano yaJehovha murenje rino, kuti tifiremo, isu nezvipfuwo zvedu?

20:5b.NUM.020.005 Makatibudisireiko muIjipiti, kuzotiisa panzvimbo iyi yakaipa? Haizi nzvimbo yembeu, kana yamaonde, kana yemizambiringa, kana yamatamba; nemvura yokunwa hapana.

20:6b.NUM.020.006 Ipapo Mozisi naAroni vakabva paungano, vakaenda kumukova wetende rokusangana, vakawira pasi nezviso zvavo; kubwinya kwaJehovha kukaratidzwa kwavari.

20:7b.NUM.020.007 Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,

20:8b.NUM.020.008 Tora tsvimbo, uunganidze ungano, iwe naAroni mukuru wako, mutaure nedombo pamberi pavo, kuti ribudise mvura padombo, unwise ungano nezvipfuwo zvavo.

20:9b.NUM.020.009 Ipapo Mozisi akatora tsvimbo, yakanga iri pamberi paJehovha, sezvaakanga arairwa naye.

20:10b.NUM.020.010 Mozisi naAroni vakaunganidza ungano pamberi pedombo, akati kwavari, Zvino, chinzwai, imwi vokumukira Jehovha, ko tingakubudisirai mvura padombo iri here?

20:11b.NUM.020.011 Ipapo Mozisi akasimudza ruoko rwake, akarova dombo kaviri netsvimbo yake, mvura ikabuda zhinji-zhinji, ungano ikanwa, nezvipfuwo zvavo.

20:12b.NUM.020.012 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, Zvamusina kutenda kwandiri, kunditsaura pamberi pavana valsiraeri, hamungapinzi ungano iyi munyika yandakaipa.

20:13b.NUM.020.013 Ndiyo mvura yeMeribha, nokuti vana vaIsiraeri vakarwa naJehovha, akazviratidza kwavari ari Mutsvene.

20:14b.NUM.020.014 Zvino Mozisi akatuma nhume, dzaibva Kadheshi, kuna mambo weEdhomu, achiti, Zvanzi nomunununa wako Isiraeri, Unoziva nhamo dzose dzakatiwira,

20:15b.NUM.020.015 kuti madzibaba edu akaburukira Ijipiti, tikagara Ijipiti nguva huru, vaIjipiti vakatiitira zvakaipa, isu namadzibaba edu;

20:16b.NUM.020.016 zvino takati tichichema kuna Jehovha, iye akanzwa manzwi edu, akatuma mutumwa kutibudisa paIjipiti, zvino tarirai, tiri paKadheshi, paguta riri pamuganhu wenyika yako;

20:17b.NUM.020.017 dotitendera kupfuura napanyika yako; hatingafambi napaminda, kana napaminda yemizambiringa; hatinganwi mvura yamatsime; tichafamba nenzira huru yamambo; hatingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe, kusvikira tabuda panyika yako.

20:18b.NUM.020.018 Ipapo Edhomu akati kwaari, Haungapfuuri nokwandiri, kuti ndirege kuuya kuzorwa newe nomunondo.

20:19b.NUM.020.019 Vana vaIsiraeri vakati kwaari, Tichakwira nenzira huru; kana tikanwa mvura yako, ini nezvipfuwo zvangu, ndicharipa mutengo wayo; nditendere kwoga kupfuura namakumbo angu, hakuna rimwe shoko.

20:20b.NUM.020.020 Iye akati, Haungapfuuri. Zvino Edhomu akauya kuzorwa naye navanhu vazhinji, noruoko rune simba.

20:21b.NUM.020.021 Naizvozvo Edhomu akaramba kutendera vaIsiraeri kupfuura napanyika yake. Ipapo vaIsiraeri vakatsauka kwaari. Kufa kwaAroni

20:22b.NUM.020.022 Zvino vakasimuka paKadheshi, vana vaIsiraeri, iyo ungano yose, vakasvika pagomo reHori.

20:23b.NUM.020.023 Ipapo Jehovha akataura naMozisi naAroni pagomo reHori, pamuganhu wenyika yaEdhomu, akati,

20:24b.NUM.020.024 Aroni uchasanganiswa navanhu vake, nokuti haangapindi munyika yandakapa vana valsiraeri, nokuti makaramba shoko rangu pamvura yeMeribha.

20:25b.NUM.020.025 Tora Aroni nomwanakomana wake Ereazari, ukwire navo pagomo reHori;

20:26b.NUM.020.026 zvino ubvise nguvo dzake, ugodzifukidza Ereazari mwanakomana wake; ipapo Aroni achasanganiswa navanhu vake, achafirapo.

20:27b.NUM.020.027 Mozisi akaita sezvaakarairwa naJehovha; vakakwira pagomo reHori pamberi peungano yose.

20:28b.NUM.020.028 Zvino Mozisi wakabvisa nguvo dzaAroni, akadzifukidza Ereazari mwanakomana wake; Aroni akafirapo pamusoro pegomo; Mozisi naEreazari vakaburuka havo pagomo.

20:29b.NUM.020.029 Zvino ungano yose yakati ichiona kuti Aroni afa, vakachema Aroni mazuva makumi matatu, iyo imba yose yaIsiraeri.

21

21:1b.NUM.021.001 Zvino mambo weAradhi, muKenani, akanga agere kunyika yeZasi, akati anzwa kuti vaIsiraeri vouya nenzira yeAtarimu, akarwa navaIsiraeri, akatapa vamwe vavo.

21:2b.NUM.021.002 Ipapo vaIsiraeri vakapikira Jehovha mhiko, vakati, Kana mukapa vanhu ava mumaoko edu, tichaparadza maguta avo chose.

21:3b.NUM.021.003 Jehovha akateerera inzwi ravaIsiraeri, akavapa vaKenani; vakavaparadza chose namaguta avo; nzvimbo iyo ikanzi Homa.

21:4b.NUM.021.004 Zvino vakasimuka pagomo reHori, vakafamba nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku, kuti vanyenyeredze nyika yaEdhomu; vanhu vakapera moyo kwazvo panzira.

21:5b.NUM.021.005 Ipapo vanhu vakapopotera Mwari naMozisi, vakati, Makatibudisireiko Ijipiti, kuti tifire murenje? Nokuti hapana zvokudya, hapana mvura; mweya yedu inosema zvokudya izvi zvakaipa.

21:6b.NUM.021.006 Jehovha akatuma nyoka dzinopenga pakati pavanhu, dzikaruma vanhu, vanhu vazhinji valsiraeri vakafa.

21:7b.NUM.021.007 Zvino vanhu vakauya kuna Mozisi, vakati, Takatadza, nokuti takapopotera Jehovha nemi; kumbirai kuna Jehovha kuti abvise nyoka kwatiri. Mozisi akakumbirira vanhu.

21:8b.NUM.021.008 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, Uzviitire nyoka inopenga, ugoiturika padanda; zvino mumwe nomumwe akarumwa kana akaitarira, achararama.

21:9b.NUM.021.009 Mozisi akaita nyoka yendarira, akaiturika padanda; zvino mumwe nomumwe akati kana arumwa, akatarira nyoka iyo yendarira, akararama.

21:10b.NUM.021.010 Vana valsiraeri vakafamba, vakandodzika matende avo paObhoti.

21:11b.NUM.021.011 Vakabva Obhoti, vakandodzika matende avo paIje-aBharimi, murenje riri pamberi paMoabhu, kumabvazuva.

21:12b.NUM.021.012 Vakafamba vachibva ipapo, vakandodzika matende avo pamupata weZeredhi.

21:13b.NUM.021.013 Vakafamba vachibva ipapo, vakandodzika matende avo kumhiri kwaArinoni, rwizi rwaiva murenje, rwaibva kunyika yavaAmori; nokuti Arinoni ndiwo muganhu wavaMoabhu, pakati paMoabhu navaAmori.

21:14b.NUM.021.014 Naizvozvo pabhuku yeHondo dzaJehovha panoti: VaHebhi paSufa,Nemipata yaArinoni,

21:15b.NUM.021.015 Nemikwidza yemipata inorerekera kunzvimbo yeAri, Inosendamira pamuganhu waMoabhu.

21:16b.NUM.021.016 Vakafamba vachibva ipapo, vakaenda Bheeri; ndiro tsime rakanzi naJehovha kuna Mozisi, Unganidza vanhu, ndichavapa mvura.

21:17b.NUM.021.017 Zvino vaIsiraeri vakaimba rwiyo urwu: Chivhaira, iwe tsime; imwi muriimbire;

21:18b.NUM.021.018 Ndiro tsime rakacherwa namachinda, Rakacherwa navakuru vavanhu Netsvimbo youshe, uye netsvimbo dzavo.Vakabva murenje, vakaenda Matana;

21:19b.NUM.021.019 vakabva Matana, vakaenda Naharieri; vakabva Naharieri, vakaenda Bhamoti;

21:20b.NUM.021.020 vakabva Bhamoti, vakaenda kumupata uri kubani raMoabhu, kusvikira kumusoro wegomo rePisiga, rinotarira pasi kurenje.

21:21b.NUM.021.021 Zvino vaIsiraeri vakatuma nhume kuna Sihoni, mambo wavaAmori, vachiti,

21:22b.NUM.021.022 Nditendere kupfuura napanyika yako; hatingatsaukiri kumunda kana kumunda wemizambiringa; hatinganwi mvura yamatsime; tichafamba nenzira huru yamambo, kusvikira tabuda panyika yako.

21:23b.NUM.021.023 Asi Sihoni akaramba kutendera vaIsiraeri kupfuura napanyika yake; Sihoni akaunganidza vanhu vake vose, akaenda kurenje kundorwa navaIsiraeri, akasvika paJahazi; akarwa navaIsiraeri.

21:24b.NUM.021.024 Asi vaIsiraeri vakamukunda neminondo inopinza, vakatora nyika yake kubva paArinoni kusvikira paJabhoki, kusvikira pavana vaAmoni; nokuti muganhu wavana vaAmoni wakanga wakasimba.

21:25b.NUM.021.025 Naizvozvo vaIsiraeri vakakunda maguta iwayo ose; vaIsiraeri vakagara mumaguta ose avaAmori, muHeshibhoni napamisha yaro yose.

21:26b.NUM.021.026 Nokuti Heshibhoni rakanga riri guta raSihoni, mambo wavaAmori, iye akanga arwa namambo wokutanga waMoabhu, akamutorera nyika yake yose kusvikira paArinoni.

21:27b.NUM.021.027 Naizvozvo vanotaura neshumo vanoti, Uyai muHeshibhoni,Guta raSihoni ngarivakwe, risimbiswe;

21:28b.NUM.021.028 Nokuti moto wakabuda Nomurazvo paguta raSihoni, Ukaparadza Ari waMoabhu, Madzishe enzvimbo dzakakwirira dzaArinoni.

21:29b.NUM.021.029 Une nhamo iwe Moabhu! Mapera imwi vanhu veKemoshi; Wakapa Sihoni vanakomana vake vatize,Navanasikana vake vatapwe, Sihoni, mambo wavaAmori.

21:30b.NUM.021.030 Takavapfura; Heshibhoni rakaparadzwa kusvikira paDhibhoni,Takaparadza kusvikira paNofa, Moto ukasvika paMedhebha.

21:31b.NUM.021.031 Naizvozvo valsiraeri vakagara munyika yavaAmori.

21:32b.NUM.021.032 Zvino Mozisi akatuma vanhu kundoshora Jazeri, vakakunda misha yaro, vakadzinga vaAmori vakanga vageremo.

21:33b.NUM.021.033 Ipapo vakadzoka, vakakwira nenzira inoenda Bhashani; zvino Ogi, mambo weBhashani, akauya kuzorwa navo paEdhirei, iye navanhu vake vose.

21:34b.NUM.021.034 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, Usamutya hako, nokuti ndakamupa mumaoko ako, iye navanhu vake vose, nenyika yake; unofanira kumuitira iye sezvawakaitira Sihoni, mambo wavaAmori, aigara paHeshibhoni.

21:35b.NUM.021.035 Naizvozvo vakamukunda, iye navanakomana vake vose, kudzimana asina kusarirwa nomumwe; vakatora nyika yake.

22

22:1b.NUM.022.001 Zvino vana vaIsiraeri vakafamba, vakandodzika matende avo pamapani eMoabhu, mhiri kwaJorodhani paJeriko.

22:2b.NUM.022.002 Zvino Bharaki, mwanakomana waZipori, akanga aona zvose zvakaitirwa vaAmori navaIsiraeri.

22:3b.NUM.022.003 Moabhu akatya vanhu avo kwazvo, nokuti vakanga vari vazhinji; Moabhu akavhunduka nokuda kwavana vaIsiraeri.

22:4b.NUM.022.004 Ipapo Moabhu akati kuvakuru vaMidhiani, Zvino vanhu ava vazhinji vachananzva zvose zvakatipoteredza, semombe inonanzva uswa hwesango; Bharaki, mwanakomana waZipori ndiye akanga ari mambo waMoabhu nenguva

22:5b.NUM.022.005 iyo. Ipapo akatuma nhume kuna Bharamu, mwanakomana waBheori, paPetori paRwizi, kunyika yavana vorudzi rwake, kuzomudana, achiti, Tarira, pano pana vanhu vakabva Ijipiti, tarira, vakafukidza nyika yose, zvino voda kurwa neni.

22:6b.NUM.022.006 Naizvozvo douya hako zvino, unditukire vanhu ava; nokuti vanondikurira nesimba; zvimwe ndingagona kuvakunda, ndivadzinge munyika ino; nokuti ndinoziva kuti munhu akaropafadzwa newe, akaropafadzwa kwazvo, uye munhu akatukwa newe, wakatukwa kwazvo.

22:7b.NUM.022.007 Ipapo vakuru vaMoabhu navakuru vaMidhiani vakaenda vakabata shanu yokuvuka mumaoko avo, vakasvika kuna Bharamu, vakamuudza mashoko aBharaki.

22:8b.NUM.022.008 Iye akati kwavari, Vatai usiku huno pano, ndikudzoserei neshoko, sezvandichaudzwa naJehovha; machinda aMoabhu akagarapo kuna Bharamu.

22:9b.NUM.022.009 Zvino Mwari akauya kuna Bharamu, akati, Vanhu ava vari kwauri ndivananiko?

22:10b.NUM.022.010 Bharamu akati kuna Mwari, Bharaki, mwanakomana waZipori, mambo waMoabhu, akatuma shoko kwandiri, achiti,

22:11b.NUM.022.011 Tarira, vanhu vakabva Ijipiti vakafukidza nyika yose; zvino uya unditukire ivo; zvimwe ndingagona kurwa navo, nokuvadzinga.

22:12b.NUM.022.012 Ipapo Mwari akati kuna Bharamu, Haufaniri kuenda navo; haufaniri kutuka vanhu avo; nokuti vakaropafadzwa.

22:13b.NUM.022.013 Bharamu akamuka mangwanani, akati kumachinda aBharaki, Endai kunyika yenyu, nokuti Jehovha anoramba kunditendera kuenda nemi.

22:14b.NUM.022.014 Ipapo machinda aMoabhu vakasimuka, vakaenda kuna Bharaki, vakati, Bharamu aramba kuuya nesu.

22:15b.NUM.022.015 Zvino Bharaki akapamhazve kutuma machinda mazhinji kuna ivo navakakudzwa kupfuura ivo.

22:16b.NUM.022.016 Vakasvika kuna Bharamu, vakati kwaari, Zvanzi naBharaki, mwanakomana waZipori, Usatendera chinhu kukudzivisa kuuya kwandiri;

22:17b.NUM.022.017 nokuti ndichakukudza zvikuru kwazvo, zvose zvaunondiraira ndichazviita; naizvozvo douya hako unditukire vanhu ava.

22:18b.NUM.022.018 Bharamu akapindura, akati kuvaranda vaBharaki, Kunyange Bharaki akandipa imba yake izere nesirivha nendarama, handingagoni kudarika shoko raJehovha Mwari wangu, kuti nditapudze kana ndiwedzere kwariri.

22:19b.NUM.022.019 Naizvozvo zvino nemiwo dovatai henyu pano usiku huno, kuti ndizive zvandichaudzwazve naJehovha.

22:20b.NUM.022.020 Zvino Mwari akauya kuna Bharamu usiku, akati kwaari, Vanhu ava kana vakauya kuzokudana simuka uende navo; asi shoko randichataura kwauri, unofanira kuita iro roga.

22:21b.NUM.022.021 Zvino Bharami akamuka mangwanani akaisa chigaro pambongoro yake akaenda namachinda aMoabhi

22:22b.NUM.022.022 Asi Mwari akamutsamwira zvaakaenda mutumwa waJehovha akandomira munzira yake kuti arwe naye. Zvino iye akanga akatasva mbongoro yake, navaranda vake vaviri vakanga vanaye.

22:23b.NUM.022.023 Ipapo mbongoro ikaona mutumwa waJehovha amire munzira, ano munondo wakavhomorwa muruoko rwake; mbongoro ikatsauka panzira, ikaenda nokusango; Bharamu akarova mbongoro kuti aidzorere kunzira.

22:24b.NUM.022.024 Zvino mutumwa waJehovha akandomira panzira nhete pakati peminda yemizambiringa, rusvingo ruri kurutivi runo, norusvingo kuno rumwe rutivizve.

22:25b.NUM.022.025 Mbongoro ikaona mutumwa waJehovha, ikazvisundira kurusvingo; ikambandidzira rutsoka rwaBharamu parusvingo; ipapo akairovazve.

22:26b.NUM.022.026 Mutumwa waJehovha akapfuura mberi, akandomira pakanga pakamanikana, pakanga pasina nzvimbo yokutsaukira kurudyi kana kuruboshwe.

22:27b.NUM.022.027 Mbongoro ikaona mutumwa waJehovha, ikavata pasi, Bharamu ari pamusoro payo; Bharamu akatsamwa, akarova mbongoro netsvimbo yake.

22:28b.NUM.022.028 Zvino Jehovha akashamisa muromo wembongoro, ikati kuna Bharamu, Ndakakuitireiko, zvamandirova zvino katatu?

22:29b.NUM.022.029 Bharamu akati kumbongoro, Nokuti wakandidadira; dai ndaiva nomunondo muruoko rwangu, ndingadai ndakuuraya pakarepo.

22:30b.NUM.022.030 Mbongoro ikati kuna Bharamu, Ko ini handizi mbongoro yenyu yamakatasva makore enyu ose kusvikira zuva rino here? Ko ndaigara ndichikuitirai saizvozvo here? Iye akati, Kwete.

22:31b.NUM.022.031 Ipapo Jehovha akasvinudza meso aBharamu, akaona mutumwa waJehovha amire munzira, ano munondo wakavhomorwa muruoko rwake; akakotamisa musoro wake, akawira pasi nechiso chake.

22:32b.NUM.022.032 Mutumwa waJehovha akati kwaari, Warovereiko mbongoro yako zvino katatu? Tarira, ini ndimene ndabuda kuzokudzivisa, nokuti nzira yako inovavarira kune zvakaipa pamberi pangu.

22:33b.NUM.022.033 Mbongoro yakandiona, ikatsauka pamberi pangu katatu; dai isina kutsauka pamberi pangu, zvirokwazvo ndingadai ndakuuraya iwe, ndikairaramisa iyo.

22:34b.NUM.022.034 Ipapo Bharamu akati kumutumwa waJehovha, Ndatadza, nokuti ndakanga ndisingazivi kuti ndiwe wakanga umire munzira uchindidzivisa; naizvozvo zvino, kana usingafari nazvo, ndichadzoka hangu.

22:35b.NUM.022.035 Mutumwa waJehovha akati kuna Bharamu, Enda hako navarume ava, asi shoko roga randicha taura kwauri, ndiro raunofanira kutaura. Naizvozvo Bharamu akaenda namachinda aBharaki.

22:36b.NUM.022.036 Zvino Bharaki akati anzwa kuti Bharamu asvika, akabuda kundosangana naye paIri-Moabhu riri pamuganhu weArinoni, pamugumo wenyika.

22:37b.NUM.022.037 Zvino Bharaki akati kuna Bharamu, Ko handina kutuma nhume kwauri nomoyo wose, ndichikudana here? Wakaregereiko kuuya kwandiri? Ko handigoni kukukudza here?

22:38b.NUM.022.038 Bharamu akati kuna Bharaki, Tarira, ndauya kwauri; ko ini ndine simba rokutaura chinhu here? Shoko rinoiswa mumuromo mangu naMwari, ndiro randichataura.

22:39b.NUM.022.039 Zvino Bharamu akaenda naBharaki, akasvika paKiriati-huzoti.

22:40b.NUM.022.040 Bharaki akabaya nzombe namakwai, akazvitumira kuna Bharamu namachinda akanga anaye.

22:41b.NUM.022.041 Zvino mangwanani Bharaki akatora Bharamu, akamukwidza panzvimbo dzakakwirira dzaBhaari, akaona, aripo, vanhu vokumudzivo.

23

23:1b.NUM.023.001 Zvino Bharamu akati kuna Bharaki, Ndivakire pano aritari nomwe, undigadzirire pano nzombe nomwe namakondohwe manomwe.

23:2b.NUM.023.002 Bharaki akaita sezvakataura Bharamu; Bharaki naBharamu vakabayira paaritari imwe neimwe nzombe imwe negondohwe rimwe.

23:3b.NUM.023.003 Zvino Bharamu akati kuna Bharaki, Chimira iwe pachipiriso chako chinopiswa, asi ini ndichaenda; zvimwe Jehovha achauya kuzosangana neni; zvose zvaanondiratidza, ndichakuudza izvo. Akaenda pakakwirira, pakanga pasina chinhu.

23:4b.NUM.023.004 Ipapo Mwari akasangana naBharamu, iye akati kwaari, Ndagadzira aritari nomwe, ndikabayira nzombe negondohwe paaritari imwe neimwe.

23:5b.NUM.023.005 Jehovha akaisa shoko mumuromo waBharamu, akati, Dzokera kuna Bharaki, utaure kwaari kudai.

23:6b.NUM.023.006 Akadzokera kwaari, akamuwana amire pachipiriso chake chinopiswa, iye namachinda ose aMoabhu.

23:7b.NUM.023.007 Ipapo akataura nomufananidzo wake, akati, Bharaki akanditora paArami, Mambo waMoabhu akanditora pamakomo okumabvazuva, Achiti, Uya unditukire Jakobho, Uya, unditsamwire Isiraeri.

23:8b.NUM.023.008 Ini ndingatuka seiko asina kutukwa naMwari; Ini ndingatsamwira seiko asina kutsamwirwa naJehovha?

23:9b.NUM.023.009 Nokuti ndinomuona ndiri pamusoro pamatombo, Ndinomutarira ndiri pamusoro pezvikomo; Havangaverengwi pakati pendudzi.

23:10b.NUM.023.010 Ndianiko angaverenga guruva raJakobho, Kana kuverenga chikamu chechina chaIsiraeri? Kuguma kwangu ngakufanane nokwake!

23:11b.NUM.023.011 Zvino Bharaki akati kuna Bharamu, Wandiiteiko? Ndanokutora kuti utuke vavengi vangu; tarira, waramba uchingovaropafadza.

23:12b.NUM.023.012 Akapindura, akati, Ko handifaniri kuchenjera kuti nditaure zvinoiswa naJehovha mumuromo mangu here?

23:13b.NUM.023.013 Bharaki akati kwaari, Douya hako neni kune imwe nzvimbo, paungavaona uripo; ungangoona vokumudzivo voga, haungavaoni vose; nditukirei ivo uri ipapo.

23:14b.NUM.023.014 Zvino akaenda naye kumunda waZofimu, pamusoro pePisiga, akavaka aritari nomwe, akabayira nzombe negondohwe paaritari imwe neimwe.

23:15b.NUM.023.015 Akati kuna Bharaki, Chimira pano pachipiriso chako chinopiswa, ini ndindosangana naJehovha uko.

23:16b.NUM.023.016 Ipapo Jehovha akasangana naBharamu, akaisa shoko mumuromo make, akati, Dzokera kuna Bharaki utaure kudai.

23:17b.NUM.023.017 Iye akaenda kwaari, akamuwana amire pachipiriso chake chinopiswa, machinda aMoabhu anaye. Bharaki akati kwaari, Jehovha wakataureiko?

23:18b.NUM.023.018 Ipapo akataura nomufananidzo wake, akati, Simuka, iwe Bharaki, unzwe; Nditeerere, iwe mwanakomana waZipori:

23:19b.NUM.023.019 Mwari haazi munhu,Haangarevi nhema; Kunyange Mwanakomana womunhu Haangashanduki; Chaakataura, haangachiiti kanhi? Chaakataura, haangachisimbisi kanhi?

23:20b.NUM.023.020 Tarira, ndakarairwa kuti ndiropafadze; lye wakatopafadza, ini handigoni kuzvishandura.

23:21b.NUM.023.021 Haana kuona zvakaipa kuna Jakobho; Haana kuona zvakashata kuna Isiraeri; Jehovha Mwari wake anaye, Vanopupurira mambo pakati pavo.

23:22b.NUM.023.022 Mwari akavabudisa Ijipiti, Ane simba rakafanana nerenyati.

23:23b.NUM.023.023 Zvirokwazvo hakuna unanga kuna Jakobho, Uye hakuna kuuka kuna Isiraeri; Zvino zvicharehwa pamusoro paJakobho napamusoro paIsiraeri, Zvakaitwa naMwari,

23:24b.NUM.023.024 Tarirai, vanhu avo vanosimuka seshumbakadzi, Vanosimuka seshumba. Havangavati pasi vasati vadya chakabatwa, Nokunwa ropa rechakaurawa.

23:25b.NUM.023.025 Zvino Bharaki akati kuna Bharamu, Usatongovatuka, kana kutongovaropafadza.

23:26b.NUM.023.026 Asi Bharamu akapindura, akati kuna Bharaki, Handina kukuudza here, ndikati, Zvose zvinotaurwa naJehovha, ndizvo zvandinofanira kuita?

23:27b.NUM.023.027 Bharaki akati kuna Bharamu, Uya zvino, ndiende newe kune imwe nzvimbo; zvimwe Mwari angafara nazvo kuti unditukire ivo, uri ipapo.

23:28b.NUM.023.028 Zvino Bharaki akaenda naBharamu pamusoro pePeori, panotarira pasi kurenje.

23:29b.NUM.023.029 Bharamu akati kuna Bharaki, Ndivakire pano aritari nomwe, undigadzirire pano nzombe nomwe namakondohwe manomwe.

23:30b.NUM.023.030 Bharaki akaita sezvakarehwa naBharamu, akabayira nzombe negondohwe paaritari imwe neimwe.

24

24:1b.NUM.024.001 Zvino Bharamu akati achiona kuti zvakanga zvichifadza Jehovha kuropafadza Isiraeri, haana kuzoenda sapane dzimwe nguva, kutsvaka unanga, asi akaringira kurenje,

24:2b.NUM.024.002 Bharamu akasimudza meso ake, akaona vaIsiraeri vagere namarudzi avo; Mweya waMwari akauya pamusoro pake,

24:3b.NUM.024.003 akataura nomufananidzo wake, akati, Zvanzi naBharamu, mwanakomana waBheori, Zvanzi nomurume akasvinudzwa meso ake,

24:4b.NUM.024.004 Zvanzi naiye anonzwa mashoko aMwari, Iye unoona zvinoratidzwa naWamasimbaose, Iye anowira pasi, asvinudzwa meso ake;

24:5b.NUM.024.005 Matende ako akanaka zvikuru sei, iwe Jakobho, Nedzimba dzako, iwe Isiraeri!

24:6b.NUM.024.006 Vakatasanurwa semipata, Seminda kunhivi dzorwizi, Samagavakava akasimwa naJehovha, Semichindwe pedo nemvura.

24:7b.NUM.024.007 Mvura inobva pazvirongo zvake, Mbeu dzake dzichava pamvura zhinji. Mambo wake achakurira Agagi, Ushe hwake huchakuriswa.

24:8b.NUM.024.008 Mwari akamubudisa Ijipiti, Ane simba rakafanana nerenyati; Achapedza vahedheni, ivo vavengi vake; Achavhuna-vhuna mapfupa avo, Nokuvabvoora nemiseve yake.

24:9b.NUM.024.009 Anokotama, anovata pasi seshumba, Seshumbakadzi; ndianiko achamumutsa? Mumwe nomumwe anokuropafadza, ngaaropafadzwe, Mumwe nomumwe anokutuka, ngaatukwe.

24:10b.NUM.024.010 Ipapo Bharaki akatsamwira Bharamu kwazvo, akabubudza maoko ake; Bharaki akati kuna Bharamu, Ndakudana, kuti utuke vavengi vangu, asi tarira, waramba uchingovaropafadza katatu.

24:11b.NUM.024.011 Naizvozvo zvino chitiza hako kunzvimbo yako; nokuti ndakati ndichakukudza kwazvo; asi tarira, Jehovha adzivisa kukudzwa kwako.

24:12b.NUM.024.012 Bharamu akati kuna Bharaki, Ko handina kutaurawo kunhume dzako, dzawakatuma kwandiri, ndichiti,

24:13b.NUM.024.013 Kunyange Bharaki akandipa imba yake izere nesirivha nendarama, handingagoni kudarika shoko raJehovha, ndiite nomoyo wangu zvakanaka kana zvakaipa; zvinotaurwa naJehovha, ndizvo zvandichaita?

24:14b.NUM.024.014 Zvino tarira, ndinoenda hangu kurudzi rwangu; uya ndikuudze zvichaitirwa vanhu vako navanhu ava pamazuva okupedzisira.

24:15b.NUM.024.015 Akataura nomufananidzo wake, akati,Zvanzi naBharamu, mwanakomana waBheori, Zvanzi nomurume akasvinudzwa meso ake;

24:16b.NUM.024.016 Zvanzi naiye anonzwa mashoko aMwari, Iye anoziva zivo yoWokudenga-denga, Iye anoona zvinoratidzwa noWamasimbaose,Iye anowira pasi, asvinudzwa meso ake.

24:17b.NUM.024.017 Ndinomuona, asi handimuoni zvino; Ndinomuona, asi handimuoneri pedo; Nyeredzi ichabuda kuna Jakobho, Netsvimbo youshe ichabva kuna Isiraeri; Ichabvoora nyika yaMoabhu, Nokuparadza vanakomana vose vebope.

24:18b.NUM.024.018 Edhomu ichava nhaka yake, NeSeiriwo ichava nhaka yake, ndivo vavengi vake; Asi Isiraeri achakunda.

24:19b.NUM.024.019 Mumwe, achabva kuna Jakobho, achava noushe, achaparadza vakasara muguta.

24:20b.NUM.024.020 Zvino akatarira Amareki, akataura nomufananidzo wake, akati, Amareki ndiye wokutanga wavahedheni, Asi pakupedzisira achaparadzwa.

24:21b.NUM.024.021 Zvino akatarira vaKeniti, akataura nomufananidzo wake, akati, Ugaro hwako hwakasimba, Dendere rako rakateyiwa padombo.

24:22b.NUM.024.022 Kunyange zvakadaro Kaini achaparadzwa, Kusvikira iwe uchitapwa naAshuri.

24:23b.NUM.024.023 Akataura nomufananidzo wake akati,Haiwa! Ndianiko achararama, kana Mwari achiita saizvozvo?

24:24b.NUM.024.024 Asi zvikepe zvichabva kurutivi rweKitimi, Zvicharwadza Ashuri, nokurwadza Ebheri, Naiyewo achaparadzwa.

24:25b.NUM.024.025 Ipapo Bharamu akasimuka, akadzokera kunzvimbo yake; naBharaki akaendawo.

25

25:1b.NUM.025.001 Zvino vaIsiraeri vakagara paShitimu, vanhu vakatanga kuita upombwe navanasikana vaMoabhu;

25:2b.NUM.025.002 nokuti vakadana vanhu vauye kuzvibayiro zvavamwari vavo; vanhu vakadya, vakapfugamira vamwari vavo.

25:3b.NUM.025.003 Valsiraeri vakazvisunganidza naBhaari-peori; Jehovha akatsamwira Isiraeri kwazvo.

25:4b.NUM.025.004 Ipapo Iehovha akati kuna Mozisi, Tora vakuru vose vavanhu, uvasungirire masikati makuru pamberi paJehovha, kuti kutsamwa kukuru kwaJehovha kudzorwe kuna Isiraeri.

25:5b.NUM.025.005 Mozisi akati kuvatongi vaIsiraeri, Mumwe nomumwe wenyu ngaauraye vanhu vake vakazvisunganidza naBhaari-peori.

25:6b.NUM.025.006 Zvino onei mumwe murume wavana vaIsiraeri akauya kuhama dzake nomukadzi muMidhiani, Mozisi neungano yose yavana vaIsiraeri vachizviona, ivo vari pakuchema pamukova wetende rokusangana.

25:7b.NUM.025.007 Zvino Pinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana womupirisiti Aroni, akati achizviona, akasimuka, akabuda pakati peungano ane pfumo muruoko rwake,

25:8b.NUM.025.008 akatevera murume uyo muIsiraeri mukati metende, akavabaya nepfumo nomudumbu, ivo vaviri, murume muIsiraeri nomukadzi; naizvozvo denda rakaguma pakati pavana vaIsiraeri.

25:9b.NUM.025.009 Vose vakanga vafa nedenda iro vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezvina.

25:10b.NUM.025.010 Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,

25:11b.NUM.025.011 Pinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, adzora kutsamwa kwangu kuvana vaIsiraeri; nokuti akanga ane shungu pakati pavo, dzakafanana neshungu dzangu naizvozvo handina kuparadza vana vaIsraeri neshungu dzangu.

25:12b.NUM.025.012 Naizvozvo uti, Tarira, ndinomupa sungano yangu yorugare,

25:13b.NUM.025.013 ichava kwaari nokuvana vake vanomutevera kuti akanga ane shungu nokuda kwaMwari wake, akayananisira vana vaIsiraeri.

25:14b.NUM.025.014 Zita romurume uyo muIsiraeri akaurawa, iye wakaurawa pamwechete nomukadzi muMidhiani, rakanga riri Zimiri, mwanakomana waSaru, muchinda weimba yamadzibaba pakati pavaSimiyoni.

25:15b.NUM.025.015 Zita romukadzi muMidhiani akaurawa, rakanga riri Kozibhi, mwanasikana waZuri; iye akanga ari mukuru wavanhu weimba yamadzibaba pavaMidhiani.

25:16b.NUM.025.016 Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,

25:17b.NUM.025.017 Vambana navaMidhiani, uvaparadze;

25:18b.NUM.025.018 nokuti ivo vakavambana nemi namano avo, avakakunyengerai nawo pane zvakaitwa naPeori nezvakaitwa naKozibhi, mwanasikana womuchinda wavaMidhiani, hanzvadzi yavo, akaurawa nomusi wedenda nokuda kwezvakaitwa naPeori.

26

26:1b.NUM.026.001 Zvino denda rakati rapfuura, Jehovha akataura naMozisi naEreazari, mwanakomana womupirisiti Aroni, akati,

26:2b.NUM.026.002 Verengai vanhu vose vaIsiraeri, vanamakore ana makumi maviri navanopfuura, nedzimba dzamadzibaba avo, vose vanogona kuenda kuhondo pakati paIsiraeri.

26:3b.NUM.026.003 Mozisi naEreazari mupirisiti vakataura navo pamapani aMoabhu, paJorodhani paJeriko, vakati,

26:4b.NUM.026.004 Verengai vanhu vana makore ana makumi maviri navanopfuura; Jehovha sezvakaraira Mozisi navana vaIsiraeri, vakabuda panyika yeIjipiti.

26:5b.NUM.026.005 Rubheni ndiye aiva mwanakomana wedangwe waIsiraeri, vanakomana vaRubheni ndivo: Hanoki, kwakabva mhuri yavaHanoki; naParu, kwakabva mhuri yavaParu.

26:6b.NUM.026.006 NaHezironi, kwakabva mhuri yavaHezironi; naKarimi, kwakabva mhuri yavaKarimi.

26:7b.NUM.026.007 Ndidzo mhuri dzavaRubheni: Vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvitatu, namazana manomwe namakumi matatu.

26:8b.NUM.026.008 Vanakomana vaParu vaiva Eriabhu;

26:9b.NUM.026.009 navanakomana vaEriabhu, Nemueri naDhatani naAbhiramu; Dhatani naAbhiramu ndivo vakanga vadanwa kumakurukota, vakarwa naMozisi naAroni paboka raKora, nguva yavakarwa naJehovha,

26:10b.NUM.026.010 nyika ikashamisa muromo wayo, ikavamedza pamwechete naKora musi wakafa boka iro; nguva iyo moto ukaparadza varume vana mazana maviri namakumi mashanu, vakaitwa chiratidzo.

26:11b.NUM.026.011 Asi vanakomana vaKora havana kufa.

26:12b.NUM.026.012 Ava ndivo vanakomana vaSimiyoni, nemhuri dzavo: Nemueri, kwakabva mhuri yavaNemueri, naJamini, kwakabva mhuri yavaJamini, naJakini, kwakabva mhuri yavaJakini;

26:13b.NUM.026.013 naZera, kwakabva mhuri yavaZera; naShauri, kwakabva mhuri yavaShauri.

26:14b.NUM.026.014 Ndidzo mhuri dzavaSimiyoni, vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri namazana maviri.

26:15b.NUM.026.015 Ava ndivo vanakomana vaGadhi nemhuri dzavo: Zefoni, kwakabva mhuri yavaZefoni; naHagi, kwakabva mhuri yavaHagi; naShuni, kwakabva mhuri yavaShuni;

26:16b.NUM.026.016 naZini, kwakabva mhuri yava Zini; naEri, kwakabva mhuri yavaEri;

26:17b.NUM.026.017 naArodhi, kwakabva mhuri yavaArodhi naAreri kwakabva mhuru yavaAreri.

26:18b.NUM.026.018 Ndidzo mhuri dzavanakomana vaGadhi; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana namazana mashanu.

26:19b.NUM.026.019 Ava ndivo vanakomana vaJudha: Eri naOnani; asi Eri naOnani vakafira munyika yeKenani.

26:20b.NUM.026.020 Ndivo vanakomana vaJudha, nemhuri dzavo: Shera, kwakabva mhuri yavaShera; naPerezi kwakabva mhuri yavaPerezi; naZera, kwakabva mhuri yavaZera.

26:21b.NUM.026.021 Ndivo vanakomana vaPerezi: Hezironi, kwakabva mhuri yavaHezironi; naHamuri, kwakabva mhuri yavaHamuri.

26:22b.NUM.026.022 Ndidzo mhuri dzaJudha; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi manomwe nezvitanhatu namazana mashanu.

26:23b.NUM.026.023 Ava ndivo vanakomana vaIsakari, nemhuri dzavo: Tora, kwakabva mhuri yavaTora; naPuva, kwakabva mhuri yavaPuva;

26:24b.NUM.026.024 naJashubhi, kwakabva mhuri yavaJashubhi, naShimironi, kwakabva mhuri yavaShimironi.

26:25b.NUM.026.025 Ndidzo mhuri dzalsakari; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu nezvina namazana matatu.

26:26b.NUM.026.026 Ava ndivo vanakomana vaZebhuruni, nemhuri dzavo: Seredhi, kwakabva mhuri yavaSeredhi; naEroni, kwakabva mhuri yavaEroni; naJareeri, kwakabva mhuri yavaJareeri.

26:27b.NUM.026.027 Ndidzo mhuri dzaZebhuruni; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu namazana mashanu.

26:28b.NUM.026.028 Ava ndivo vanakomana vaJosefa, nemhuri dzavo: Manase naEfuremu.

26:29b.NUM.026.029 Ndivo vanakomana vaManase: Makiri, kwakabva mhuri yavaMakiri; Makiri wakabereka Giriyadhi; kunaGiriyadhi kwakabva mhuri yavaGiriyadhi.

26:30b.NUM.026.030 Ndivo vanakomana vaGiriyadhi: Jezeri, kwakabva mhuri yavaJezeri; naHereki, kwakabva mhuri yavaHereki;

26:31b.NUM.026.031 naAsirieri, kwakabva mhuri yavaAsirieri; naShekemu, kwakabva mhuri yavaShekemu;

26:32b.NUM.026.032 naShemidha, kwakabva mhuri yavaShemidha; naHeferi, kwakabva mhuri yavaHeferi.

26:33b.NUM.026.033 Asi Zerofehadhi, mwanakomana waHeferi, akanga asina vanakomana, asi vanasikana bedzi; mazita avanasikana vaZerofehadhi aiva Makira, naNoa, naHogira, naMirika, naTiriza.

26:34b.NUM.026.034 Ndidzo mhuri dzaManase; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezviviri namazana manomwe.

26:35b.NUM.026.035 Ava ndivo vanakomana vaEfuremu, nemhuri dzavo: Shutera, kwakabva mhuri yavaShutera; naBhekeri, kwakabva mhuri yavaBhekeri, naTahani, kwakabva mhuri yavaTahani.

26:36b.NUM.026.036 Ndivo vanakomana vaShutera: Erani, kwakabva mhuri yavaErani.

26:37b.NUM.026.037 Ndidzo mhuri dzavanakomana vaEfuremu; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezviviri, namazana mashanu. Ndivo vanakomana vaJosefa, nemhuri dzavo.

26:38b.NUM.026.038 Ava ndivo vanakomana vaBhenjamini, nemhuri dzavo: Bhera, kwakabva mhuri yavaBhera; naAshibheri, kwakabva mhuri yavaAshibheri; naAhirami, kwakabva mhuri yavaAhirami;

26:39b.NUM.026.039 naShefufami, kwakabva mhuri yavaShufami; naHufami, kwakabva mhuri yavaHufami.

26:40b.NUM.026.040 Ndivo vanakomana vaBhera: Aridhi naNamani; kuna Aridhi kwakabva mhuri yavaAridhi; naNamani, kwakabva mhuri yavaNamani.

26:41b.NUM.026.041 Ndivo vanakomana vaBhenjamini, nemhuri dzavo; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvishanu namazana matanhatu.

26:42b.NUM.026.042 Ava ndivo vanakomana vaDhani, nemhuri dzavo: Shuhami, kwakabva mhuri yavaShuhami. Ndivo vemhuri dzaDhani, nedzimba dzavo.

26:43b.NUM.026.043 Mhuri dzose dzavaShuhami, vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu nezvina namazana mana.

26:44b.NUM.026.044 Ava ndivo vanakomana vaAsheri, nemhuri dzavo: Imuna, kwakabva mhuri yavaImuna; naIshivhi, kwakabva mhuri yavaIshivhi; naBheria, kwakabva mhuri yavaBheria.

26:45b.NUM.026.045 Ndivo vanakomana vaBheria: Hebheri, kwakabva mhuri yavaHebheri; naMakieri, kwakabva mhuri yavaMakieri.

26:46b.NUM.026.046 Zita romwanasikana waAsheri rakanga riri Sera.

26:47b.NUM.026.047 Ndidzo. mhuri dzaAsheri; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvitanhatu namazana mana.

26:48b.NUM.026.048 Ava ndivo vanakomana vaNafutari, nemhuri dzavo: Jazeeri, kwakabva mhuri yavaJazeri; naGuni, kwakabva mhuri yavaGuni;

26:49b.NUM.026.049 naJezeri, kwakabva mhuri yavaJezeri; naShiremi, kwakabva mhuri yavaShiremi.

26:50b.NUM.026.050 Ndidzo mhuri dzaNafutari, nemhuri dzavo; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvishanu namazana mana.

26:51b.NUM.026.051 Ndivo vakaverengwa kuvana vaIsiraeri, vakasvika zviuru zvina mazana matanhatu nechiuru chimwe namazana manomwe namakumi matatu.

26:52b.NUM.026.052 Jehovha akataura naMozisi, akati,

26:53b.NUM.026.053 Nyika inofanira kugoverwa pakati paivava, ive nhaka yavo, vachiverengwa namazita avo.

26:54b.NUM.026.054 Vazhinji unofanira kuvapa nhaka zhinji; vashoma unofanira kuvapa nhaka shoma; mumwe nomumwe unofanira kupiwa sezvavakaverengwa.

26:55b.NUM.026.055 Kunyange zvakadaro nyika inofanira kugoverwa nemijenya; vachapiwa nhaka namazita amarudzi amadzibaba avo.

26:56b.NUM.026.056 Nhaka yavo inofanira kugoverwa nemijenya kana vari vazhinji kana vari vashoma.

26:57b.NUM.026.057 Zvino ndivo vakaverengwa kuvaRevhi, nemhuri dzavo: Gerishoni, kwakabva mhuri yavaGerishoni;. Kohati, kwakabva mhuri yavaKohati; Merari, kwakabva mhuri yavaMerari.

26:58b.NUM.026.058 Ndidzo mhuri dzavaRevhi: Mhuri yavaRibhini, nemhuri yavaHebhuroni, nemhuri yavaMari, nemhuri yavaMushi, nemhuri yavaKora. Kohati akabereka Amuramu.

26:59b.NUM.026.059 Zita romukadzi waAmuramu rakanga riri Jokebhedhi, mwanasikana waRevhi, wakaberekerwa Revhi paIjipiti; ndiye wakaberekera Amuramu, Aroni, naMozisi, naMiriami, hanzvadzi yavo.

26:60b.NUM.026.060 Aroni akaberekerwa Nadhabhi, naAbhihu, naEreazari, naItamari.

26:61b.NUM.026.061 Nadhabhi naAbhihu vakafa, nguva yavakauyisa moto usina kufanira pamberi paJehovha.

26:62b.NUM.026.062 Vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezvitatu, murume mumwe nomumwe wakanga ano mwedzi mumwe navanopfuura; nokuti havana kuverengwa pakati pavana vaIsiraeri, nokuti havana kupiwa nhaka pakati pavana vaIsiraeri.

26:63b.NUM.026.063 Ndivo vakaverengwa naMozisi naEreazari mupirisiti, vakaverenga vana vaIsiraeri pamapani aMoabhu, paJorodhani paJeriko.

26:64b.NUM.026.064 Asi pakati pavo kwakanga kusina murume mumwe wavaya vakaverengwa naMozisi naAroni, vakanga vaverenga vana vaIsiraeri murenje reSinai.

26:65b.NUM.026.065 Nokuti Jehovha akanga ati napamusoro pavo, Zvirokwazvo vachafira murenje. Hakuna mumwe wavo akanga asara, asi Karebhu, mwanakomana waJefune, naJoshua, mwanakomana waNuni.

27

27:1b.NUM.027.001 Zvino vanasikana vaZerofehadhi, mwanakomana waHeferi, mwanakomma waGiriyadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, wemhuri dzaManase, mwanakomana waJosefa, vakaswedera kuna Mozisi; ndiwo mazita avanasikana vake: Mara, naNoa, naHogira, naMirika, naTiriza;

27:2b.NUM.027.002 vakamira pamberi paMozisi napamberi paEreazari mupirisiti, napamberi pamachinda neungano yose, pamukova wetende rokusangana, vakati,

27:3b.NUM.027.003 Baba vedu vakafira murenje, asi vakanga vasi pakati peboka ravaya vakaungana kuzorwa naJehovha, veboka raKora; vakafira havo muzvivi zvavo, vasina vanakomana.

27:4b.NUM.027.004 Zvino zita rababa vedu richabvisirweiko pakati pemhuri yavo, nokuti vakanga vasina vanakomana? Tipeiwo nhaka pakati pehama dzababa vedu.

27:5b.NUM.027.005 Mozisi akaisa shoko ravo pamberi paJehovha.

27:6b.NUM.027.006 Jehovha akataura naMozisi, akati,

27:7b.NUM.027.007 Vanasikana vaZerofehadhi vanotaura kwazvo; zvirokwazvo, unofanira kuvapa nhaka pakati pehama dzababa vavo; unofanira kuvagarisa nhaka yababa vavo.

27:8b.NUM.027.008 Zvino unofanira kutaura navana vaIsiraeri, uchiti, Kana munhu akafa asina mwanakomana, munofanira kugarisa mwanasikana wake nhaka yake.

27:9b.NUM.027.009 Kana asina mwanasikana, munofanira kupa vakuru vake navanununa vake nhaka yake.

27:10b.NUM.027.010 Kana asina vakuru kana vanununa, munofanira kupa vakuru kana vanununa vababa vake nhaka yake.

27:11b.NUM.027.011 Kana baba vake vasina vakuru kana vanununa, munofanira kupa hama yake yomumba nhaka yake, ive yake. Unofanira kuva mutemo wokutonga nawo pakati pavana vaIsiraeri, sezvakarairwa Mozisi naJehovha. Joshua muteveri waMozisi

27:12b.NUM.027.012 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Kwira pagomo iri reAbharimu, uone nyika yandakapa vana vaIsiraeri.

27:13b.NUM.027.013 Ipapo kana waiona, newewo uchasanganiswa navanhu vako, sezvakasanganiswa mukuru wako Aroni;

27:14b.NUM.027.014 nokuti makaramba shoko rangu murenje reZini, panguva yokurwa kweungano, mukarega kunditsaura pamberi pavo pamvura. (Ndiyo mvura yeMeribha paKadheshi, murenje reZini.)

27:15b.NUM.027.015 Zvino Mozisi akataura naJehovha, akati,

27:16b.NUM.027.016 Jehovha, Mwari wemweya yavanhu vose, ngaagadze murume paungano iyi,

27:17b.NUM.027.017 achabuda pamberi pavo, nokupinda pamberi pavo, angavabudisa nokuvapinza; kuti ungano yaJehovha irege kuva samakwai asina mufudzi.

27:18b.NUM.027.018 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, Tora Joshua, mwanakomana waNuni, murume uno mweya mukati make, uise ruoko rwako pamusoro pake.

27:19b.NUM.027.019 Umuise pamberi paEreazari mupirisiti, napamberi peungano yose, ugomurairira pamberi pavo.

27:20b.NUM.027.020 Uise pamusoro pake zvoukuru hwako, kuti ungano yose yavana valsiraeri imuteerere.

27:21b.NUM.027.021 Iye anofanira kumira pamberi pomupirisiti Ereazari, iye amuunzire pamberi paJehovha nokutonga kweUrimi; nokuraira kwake, vanofanira kubuda, nokuraira kwake, vanofanira kupinda, iye pamwechete navana vaIsiraeri vose, ungano yose.

27:22b.NUM.027.022 Mozisi akaita sezvaakarairwa naJehovha; akatora Joshua, akamuisa pamberi pemupirisiti Ereazari, napamberi peungano yose;

27:23b.NUM.027.023 akaisa maoko ake pamusoro pake, akamurairira, sezvakataura Jehovha nomuromo waMozisi.

28

28:1b.NUM.028.001 Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,

28:2b.NUM.028.002 Raira vana vaIsiraeri, uti kwavari, Munofanira kurangarira kundipa nenguva yazvo yakafanira zvipo zvangu, izvo zvokudya zvangu zvezvipiriso zvangu zvinopiswa, chive chinonhuwira zvakanaka kwandiri.

28:3b.NUM.028.003 Unofanira kuti kwavari, Ndicho chipiriso chinopiswa chamunofanira kupa Jehovha: Makwayana amakondohwe egore rimwe, asina kuremara, maviri zuva rimwe nerimwe, chive chipiriso chinopiswa nguva dzose.

28:4b.NUM.028.004 Rimwe gwayana unofanira kuuya naro mangwanani, rimwe gwayana unofanira kuuya naro madekwana;

28:5b.NUM.028.005 nechegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa nechechina chehini yamafuta akasviniwa.

28:6b.NUM.028.006 Ndicho chipiriso chinofanira kupiswa nguva dzose, chakarairwa pagomo reSinai, chive chinonhuwira zvakanaka, chipiriso chinopisirwa Jehovha.

28:7b.NUM.028.007 Nechipiriso chacho chinodururwa chinofanira kuva chechina chehini chegwayana rimwe nerimwe; unofanira kudururira Jehovha chipiriso chezvinobata.

28:8b.NUM.028.008 Rimwe gwayana unofanira kuuya naro madekwana; unofanira kuuya naro pamwechete nechipiriso choupfu, nechipiriso chinodururwa, zvakafanana nezvamangwanani, chive chipiriso chinopiswa, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha. Zvipiriso zveSabata nezvokuvamba kwomwedzi

28:9b.NUM.028.009 Asi nomusi weSabata munofanira kuuya namakwayana amakondohwe maviri egore rimwe, asina kuremara, nezvegumi zviviri zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, nechipiriso chacho chinodururwa.

28:10b.NUM.028.010 Ndicho chipiriso chinopiswa cheSabata rimwe nerimwe, kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho chinodururwa.

28:11b.NUM.028.011 Pakuvamba kwemwedzi yenyu munofanira kuuya nechipiriso chinopisirwa Jehovha: Nzombe mbiri duku negondohwe rimwe, namakwayana manomwe amakondohwe egore rimwe, asina kuremara;

28:12b.NUM.028.012 nezvegumi zvitatu zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, panzombe imwe neimwe; nezvegumi zviviri zvoupfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, pagondohwe rimwe nerimwe;

28:13b.NUM.028.013 nechegumi chimwe choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu pagwayana rimwe nerimwe; chive chipiriso chinopiswa chinonhuwira zvakanaka chinopisirwa Jehovha.

28:14b.NUM.028.014 Zvipiriso zvazvo zvinodururwa zvinofanira kuva zvehafu yehini pagondohwe rimwe, nechechina chehini pagwayana rimwe; ndicho chipiriso chinopiswa chinofanira kuitwa mwedzi mumwe nomumwe wemwedzi yegore rose.

28:15b.NUM.028.015 Uye nhongo imwe yembudzi chive chipiriso chezvivi kuna Jehovha; chinofanira kuuyiswa kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho chinodururwa. Mitambo mikuru

28:16b.NUM.028.016 Nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namana romwedzi, munofanira kurangarira Pasika yaJehovha.

28:17b.NUM.028.017 Mutambo unofanira kuitwa nezuva regumi namashanu romwedzi uyo; chingwa chisina kuviriswa chinofanira kudyiwa mazuva manomwe.

28:18b.NUM.028.018 Pazuva rokutanga kunofanira kuva neungano tsvene; musabata mabasa avaranda pazuva iro;

28:19b.NUM.028.019 asi munofanira kuuya nechipiriso chinopiswa, chipiriso chinopisirwa Jehovha: Nzombe mbiri duku, negondohwe rimwe, namakwayana amakondohwe manomwe egore rimwe, zvive zvisina kuremara kwamuri;

28:20b.NUM.028.020 nechipiriso chazvo choupfu, choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta; munofanira kuuya nezvegumi zvitatu panzombe imwe, nezvegumi zviviri pagondohwe rimwe.

28:21b.NUM.028.021 Unofanira kuuya nechegumi chimwe pagwayana rimwe nerimwe pamakwayana manomwe;

28:22b.NUM.028.022 nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi, chokuyananisira nacho.

28:23b.NUM.028.023 Munofanira kuuya naizvozvo kunze kwechipiriso chinopiswa chamangwanani, chinofanira kupiswa nguva dzose.

28:24b.NUM.028.024 Saizvozvo munofanira kuuya nezvokudya zvechipiriso chinopiswa zuva rimwe nerimwe pamazuva manomwe, chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha; chinofanira kuuyiswa kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose nechipiriso chacho chinodururwa.

28:25b.NUM.028.025 Pazuva rechinomwe munofanira kuita ungano tsvene; musabata mabasa avaranda naro.

28:26b.NUM.028.026 Uye pazuva rezvitsva, kana muchiuya nechipiriso chitsva choupfu kuna Jehovha pamutambo wenyu wamavhiki, munofanira kuita ungano tsvene; musabata mabasa avaranda.

28:27b.NUM.028.027 Asi munofanira kuuya nechipiriso chinopiswa chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha, zvinoti: Nzombe mbiri duku, negondohwe rimwe, namakwayana amakondohwe egore rimwe;

28:28b.NUM.028.028 nechipiriso chazvo choupfu, choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta; zvegumi zvitatu panzombe imwe, nezvegumi zviviri pagondohwe rimwe,

28:29b.NUM.028.029 nechegumi chimwe pagwayana rimwe nerimwe ramakwayana manomwe;

28:30b.NUM.028.030 nenhongo imwe yembudzi, zvokuyananisira nazvo.

28:31b.NUM.028.031 Munofanira kuuya nazvo (zvive kwamuri zvisina kuremara) nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu.

29

29:1b.NUM.029.001 Nomwedzi wechinomwe, nezuva rokutanga romwedzi, munofanira kuita ungano tsvene; hamufaniri kubata mabasa avaranda naro; rinofanira kuva kwamuri zuva rokuridza hwamanda naro.

29:2b.NUM.029.002 Munofanira kuuya nechipiriso chinopiswa, chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha, zvinoti: Nzombe imwe duku, negondohwe rimwe, namakwayana amakondohwe manomwe, egore rimwe, asina kuremara;

29:3b.NUM.029.003 nechipiriso chazvo choupfu, choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, zvegumi zvitatu panzombe, nezvegumi zviviri pagondohwe,

29:4b.NUM.029.004 nechegumi chimwe pagwayana rimwe nerimwe ramakwayana manomwe;

29:5b.NUM.029.005 nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi, chokuyananisira nacho;

29:6b.NUM.029.006 kunze kwechipiriso chinopiswa pakugara kwomwedzi, nechipisiro chacho choupfu, nechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, sezvakarairwa; chive chinonhuwira zvakanaka, chive chipiriso chinopisirwa Jehovha.

29:7b.NUM.029.007 Nezuva regumi romwedzi wechinomwe munofanira kuita ungano tsvene; munofanira kuchema pamweya yenyu; musatongobata basa.

29:8b.NUM.029.008 Asi munofanira kuuya nechipiriso chokupisira Jehovha, chive chinonhuwira zvakanaka, zvinoti: Nzombe imwe duku, negondohwe rimwe, namakwayana amakondohwe manomwe egore rimwe; zvive zivisina kuremara kwamuri;

29:9b.NUM.029.009 nechipiriso chazvo choupfu, choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta; zvegumi zvitatu panzombe, nezvegumi zviviri pagondohwe rimwe;

29:10b.NUM.029.010 nechegumi chimwe pagwayana rimwe nerimwe ramakwayana manomwe,

29:11b.NUM.029.011 nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi; kunze kwechipiriso chezvivi chokuyananisira nacho, nechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa.

29:12b.NUM.029.012 Nezuva regumi namashanu romwedzi wechinomwe munofanira kuita ungano tsvene; hamufaniri kubata basa ravaranda naro; munofanira kuitira Jehovha mutambo wamazuva manomwe.

29:13b.NUM.029.013 Munofanira kuuya nechipiriso chinopiswa, chipiriso chinopiswa nomoto, chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha, zvinoti: Nzombe duku dzine gumi nenhatu, namakondohwe maviri, namakwayana amakondohwe ane gumi namana egore rimwe; zvive zvisina kuremara;

29:14b.NUM.029.014 nechipiriso chazvo choupfu, choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta; zvegumi zvitatu panzombe imwe neimwe panzombe dzine gumi nenhatu, nezvegumi zviviri pagondohwe rimwe nerimwe pamakondohwe maviri;

29:15b.NUM.029.015 nechegumi chimwe pagwayana rimwe nerimwe pamakwayana ane gumi nemana

29:16b.NUM.029.016 nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi; kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa.

29:17b.NUM.029.017 Nezuva repiri munofanira kuuya nenzombe duku dzine gumi nembiri, namakondohwe maviri, namakwayana amakondohwe ane gumi namana egore rimwe asina kuremara.

29:18b.NUM.029.018 Nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa zvenzombe, namakondohwe namakwayana, zvakaenzana nokuwanda kwazvo, sezvakarairwa;

29:19b.NUM.029.019 nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi; kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose; nechipiriso chacho choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa.

29:20b.NUM.029.020 Nezuva retatu munofanira kuuya nenzombe duku dzine gumi neimwe, namakondohwe maviri, namakwayana amakondohwe ane gumi namana egore rimwe, asina kuremara;

29:21b.NUM.029.021 nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa zvenzombe, namakondohwe, namakwayana, zvakaenzana nokuwanda kwazvo, sezvakarairwa;

29:22b.NUM.029.022 nenhongo imwe yembudzi chive chipiriso chezvivi; kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa.

29:23b.NUM.029.023 Nezuva rechina munofanira kuuya nenzombe duku dzine gumi, namakondohwe maviri, namakwayana amakondohwe ane gumi namana egore rimwe, asina kuremara;

29:24b.NUM.029.024 nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, zvenzombe, namakondohwe, namakwayana, zvakaenzana nokuwanda kwazvo, sezvakarairwa;

29:25b.NUM.029.025 nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi; kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa.

29:26b.NUM.029.026 Nezuva reshanu munofanira kuuya nenzombe duku pfumbamwe, nemakondohwe maviri, namakwayana amakondohwe ane gumi namana egore rimwe asina kuremara;

29:27b.NUM.029.027 nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, nenzombe, namakondohwe namakwayana, zvakaenzana nokuwanda kwazvo,, sezvakarairwa;

29:28b.NUM.029.028 nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi; kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa.

29:29b.NUM.029.029 Nezuva retanhatu munofanira kuuya nenzombe sere, namakondohwe maviri, namakwayana amakondohwe ane gumi namana egore rimwe, asina kuremara;

29:30b.NUM.029.030 nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, zvenzombe, namakondohwe, namakwayana, zvakaenzana nokuwanda kwazvo, sezvakarairwa;

29:31b.NUM.029.031 nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi; kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu, nezvipiriso zvacho zvinodururwa.

29:32b.NUM.029.032 Nezuva rechinomwe munofanira kuuya nenzombe duku nomwe, namakondohwe maviri, namakwayana amakondohwe ane gumi namana egore rimwe, asina kuremara;

29:33b.NUM.029.033 nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, zvenzombe, namakondohwe, namakwayana, zvakaenzana nokuwanda kwazvo, sezvakarairwa;

29:34b.NUM.029.034 nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi; kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa.

29:35b.NUM.029.035 Nezuva rorusere munofanira kuita ungano tsvene; hamufaniri kubata basa ravaranda naro.

29:36b.NUM.029.036 Asi munofanira kuuya nechipiriso chinopiswa, chipiriso chinopiswa nomoto, chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha, zvinoti: Nzombe imwe duku, negondohwe rimwe, namakwayana amakondohwe manomwe egore rimwe, asina kuremara;

29:37b.NUM.029.037 nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, zvenzombe, namakondohwe, namakwayana, zvinofanira kuenzana nokuwanda kwazvo, sezvakarairwa,

29:38b.NUM.029.038 nenhongo imwe yembudzi chive chipiriso chezvivi; kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa.

29:39b.NUM.029.039 Ndizvo zvamunofanira kuuya nazvo kuna Jehovha pamitambo yenyu yakatarwa, kunze kwemhiko dzenyu, nezvipo zvokuda kwenyu, zvive zvipiriso zvenyu zvinopiswa, nezvipiriso zvenyu zvoupfu, nezvipiriso zvenyu zvinodururwa, nezvipiriso zvenyu zvokuyananisa.

29:40b.NUM.029.040 Mozisi akaudza vana valsiraeri zvose zvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.

30

30:1b.NUM.030.001 Zvino Mozisi akataura navakuru vamarudzi avana vaIsiraeri, akati, Ndicho chinhu chakarairwa naJehovha:

30:2b.NUM.030.002 Kana munhu achinge apikira Jehovha mhiko, kana kuzvisunga nokupika, haafaniri kushandura shoko rake; anofanira kuita zvose zvakabuda mumuromo make.

30:3b.NUM.030.003 Nomukadziwo, kana achinge apikira Jehovha, kana kuzvisunga nokusunga kwokupika, achiri mumba mababa vake, achiri musikana;

30:4b.NUM.030.004 baba vake vakanzwa kupika kwake, nokuzvisunga kwaakazvisunga nako, baba vake vakamunyararira havo, ipapo kupika kwake kwose kuchava nesimba, nokusunga kwake kwose, kwaakazvisunga nako, kuchava nesimba.

30:5b.NUM.030.005 Asi kana baba vake vakamudzivisa nomusi wavanozvinzwa nawo, kupika kwake kwose, nokuzvisunga kwake kwose, kwaakazvisunga nako, hakungavi nesimba; Jehovha achamukanganwira, nokuti baba vake vamudzivisa.

30:6b.NUM.030.006 Kana akawanikwa nomurume achakasungwa nokupika kwake, kana namashoko aakareva asina kurangarira zvakanaka, aakazvisunga nawo;

30:7b.NUM.030.007 murume wake akazvinzwa, akamunyararira hake nomusi waanozvinzwa nawo, ipapo kupika kwake kuchava nesimba, nokuzvisunga kwake, kwaakazvisunga nako, kuchava nesimba.

30:8b.NUM.030.008 Asi kana murume wake akamudzivisa nomusi waanozvinzwa nawo, ipapo iye anokonesa kupika kwake, kwaakazvisunga nako, namashoko aakareva asina kurangarira zvakanaka, aakazvisunga nawo; Jehovha achamukanganwira.

30:9b.NUM.030.009 Asi kupika kwechirikadzi, kana kwomukadzi akarambwa nomurume wake, chinhu chipi nechipi chaakazvisunga nacho, zvichava nesimba kwaari.

30:10b.NUM.030.010 Kana achinge apika ari mumba momurume wake, kana kuzvisunga nokupika,

30:11b.NUM.030.011 murume wake akazvinzwa, akamunyararira, asingamudzivisi, ipapo kupika kwake kuchava nesimba, nokuzvisunga kwose, kwaakazvisunga nako, kuchava nesimba.

30:12b.NUM.030.012 Asi kana murume wake akazvikonesa kwazvo nomusi waakazvinzwa nawo, ipapo zvose zvakabuda mumuromo make pakupika kwake, kana kuzvisunga kwake, hazvingavi nesimba; murume wake wazvikonesa; Jehovha achamukanganwira.

30:13b.NUM.030.013 Mhiko dzose, nokupika kwose kwaanozvisunga nako kuchema pamweya wake, murume wake angazvikonesa.

30:14b.NUM.030.014 Asi kana murume wake akamunyararira chose zuva rimwe nerimwe, ipapo unosimbisa mhiko dzake dzose nokuzvisunga kwake kwose, kwaakazvisunga nako; azvisimbisa, nokuti amunyararira nomusi waakazvinzwa nawo.

30:15b.NUM.030.015 Asi kana akazozvikonesa kwazvo, azvinzwa hake, iye anofanira kuva nemhosva yake.

30:16b.NUM.030.016 Ndiyo mitemo yakarairwa Mozisi naJehovha, pakati pomurume nomukadzi wake, napakati pababa nomwanasikana wavo, achiri musikana paimba yababa vake.

31

31:1b.NUM.031.001 Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,

31:2b.NUM.031.002 Tsiva vana vaIsiraeri kuvaMidhiani; shure kwaizvozvo iwe uchasanganiswa navanhu vako.

31:3b.NUM.031.003 Mozisi akataura navanhu, akati, Varume pakati penyu ngavazvigadzirire kurwa, kuti vandorwa navaMidhiani, vatsivire Jehovha kuvaMidhiani.

31:4b.NUM.031.004 Munofanira kutumira kuhondo vane chiuru chimwe kurudzi rumwe norumwe rwamarudzi avaIsiraeri.

31:5b.NUM.031.005 Naizvozvo vakaverenga kuzviuru zvavaIsiraeri chiuru chimwe kurudzi rumwe norumwe, vakasvika zviuru gumi nezviviri vakazvigadzirira kundorwa.

31:6b.NUM.031.006 Mozisi akavatuma kundorwa, chiuru chimwe kurudzi rumwe norumwe, ivo naPinehasi, mwanakomana waEreazari mupirisiti, kundorwa, iye akabata nhumbi dzeimba tsvene nehwamanda dzokuridzisa nadzo.

31:7b.NUM.031.007 Vakarwa navaMidhiani, sezvakarairwa Mozisi naJehovha, vakauraya varume vose.

31:8b.NUM.031.008 Vakaurayawo madzimambo avaMidhiani, pamwechete navamwe vakaurawa, vaiti: Evhi, naRekemu, naZuri, naHuri, naRebha, madzimambo mashanu avaMidhiani; naBharamu, mwanakomana waBheori, vakamuurayawo nomunondo.

31:9b.NUM.031.009 Vana vaIsiraeri vakatapa vakadzi vavaMidhiani navana vavo; nemombe dzavo dzose namakwai avo ose, nefuma yavo yose , vakazvitapa.

31:10b.NUM.031.010 Namaguta avo ose mavakanga vagere, nemisasa yavo yose, vakazvipisa nomoto.

31:11b.NUM.031.011 Vakatora zvavakapamba zvose, nenhapwa dzose dzavanhu nedzezvipfuwo.

31:12b.NUM.031.012 Vakauya navatapwa, nezvavakatapa, nezvavakapamba kuna Mozisi, nokuna Ereazari mupirisiti, nokuungano yose yavana vaIsiraeri, kumisasa pamapani aMoabhu, ari paJorodhani paJeriko.

31:13b.NUM.031.013 Zvino Mozisi naEreazari mupirisiti, namachinda ose eungano, vakaenda kundosangana navo kunze kwemisasa.

31:14b.NUM.031.014 Mozisi akatsamwira vatariri vehondo, navakuru vezviuru navakuru vamazana, vakanga vachidzoka pakundorwa;

31:15b.NUM.031.015 Mozisi akati kwavari, Makachengeta vakadzi vose vari vapenyu here?

31:16b.NUM.031.016 Tarirai, ndivo vakatadzisa vana vaIsiraeri pamberi paJehovha pazvakaitwa paPeori, vapiwa mano naBharamu, denda rikavapo pakati peungano yaJehovha.

31:17b.NUM.031.017 Naizvozvo zvino urayai vakomana vose vari pakati pavana, muurayewo mukadzi mumwe nomumwe akavata nomurume;

31:18b.NUM.031.018 asi muzvichengetere vanasikana vose, vasina kumbovata nomurume.

31:19b.NUM.031.019 Asi imwi, endai mundogara mazuva manomwe kunze kwemisasa; ani naani akauraya munhu, ani naani akabata munhu akaurawa, muzvinatse pazuva retatu nerechinomwe, imwi navatapwa venyu.

31:20b.NUM.031.020 Munofanirawo kusuka nguvo dzenyu dzose, nezvose zvakaitwa namatehwe, nezvose zvakarukwa nemvere dzembudzi, nezvinhu zvose zvakaitwa namatanda.

31:21b.NUM.031.021 Ereazari mupirisiti akati kuvarwi vose vakanga vandorwa, Uyu ndiwo murayiro wakarairwa Mozisi naJehovha:

31:22b.NUM.031.022 Ndarama, nesirivha, nendarira, nedare, netini, nomutobvu,

31:23b.NUM.031.023 zvose zvisingaparadzwi nomoto, munofanira kuzvipinza mumoto kuti zvinatswe; kunyange zvakadaro zvinofanira kucheneswa nemvura yokunatsa; asi zvose zvingaparadzwa nomoto, munofanira kuzvipinza mumvura.

31:24b.NUM.031.024 Munofanira kusuka nguvo dzenyu nezuva rechinomwe, kuti muve vakanaka, mugopinda mumisasa pashure.

31:25b.NUM.031.025 Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,

31:26b.NUM.031.026 Verenga vakatapwa zvamakatapa zvavanhu nezvezvipfuwo, iwe naEreazari mupirisiti, navakuru vedzimba dzamadzibaba eungano;

31:27b.NUM.031.027 mukamure zvakatapwa napakati, ive migove miviri; mugovere pakati pavarume vanoziva kurwa, vakanga vandorwa, neungano yose;

31:28b.NUM.031.028 zvino uraire kuti mugove wakatarwa utsaurirwe Jehovha navarume vehondo vakanga vandorwa: Chipenyu chimwe kumazana mashanu, kuvanhu, nokumombe, nokumbongoro, nokumakwai;

31:29b.NUM.031.029 uzvitore pahafu yavo, ugozvipa Ereazari mupirisiti, chive chipiriso chinotsaurirwa Jehovha.

31:30b.NUM.031.030 Asi pahafu yavana vaIsiraeri unofanira kutora chimwe kumakumi mashanu, kuvanhu, nokumombe, nokumbongoro, nokumakwai, kuzvipfuwo zvose, ugozvipa vaRevhi vanochengeta tabhenakeri yaJehovha.

31:31b.NUM.031.031 Mozisi naEreazari vakaita sezvakarairwa Mozisi naJehovha.

31:32b.NUM.031.032 Zvino zvakatapwa zvakanga zvasara, varume vehondo vatora mugove wavo, zvaiva makwai ane zviuru zvina mazana matanhatu nezviuru zvina makumi manomwe nezviuru zvishanu,

31:33b.NUM.031.033 nemombe dzine zviuru zvina makumi manomwe nezviviri,

31:34b.NUM.031.034 nembongoro dzine zviuru zvina makumi matanhatu nechiuru chimwe;

31:35b.NUM.031.035 navakadzi vasina kumbovata navarume vane zviuru zvina makumi matatu nezviviri.

31:36b.NUM.031.036 Hafu, yakagoverwa vakanga vaenda kundorwa, aiva makwai ane zviuru zvina mazana matatu, nezviuru zvina makumi matatu, nezviuru zvinomwe, namazana mashanu;

31:37b.NUM.031.037 mugove wakatarwa, wakatsaurirwa Jehovha, waiva makwai ana mazana matanhatu namakumi manomwe namashanu.

31:38b.NUM.031.038 Mombe dzaiva zviuru zvina makumi matatu nezvitanhatu; mugove wakatarwa, wakatsaurirwa Jehovha kunaidzo, waiva mombe dzina makumi manomwe nembiri.

31:39b.NUM.031.039 Mbongoro dzaiva zviuru zvina makumi matatu namazana mashanu; mugove wakatarwa, wakatsaurirwa Jehovha kunaidzo, waiva mbongoro dzina makumi matanhatu neimwe.

31:40b.NUM.031.040 Vanhu vaiva zviuru zvine gumi nezvitanhatu; mugove wakatarwa, wakatsaurirwa Jehovha kuna ivo, waiva vanhu vana makumi matatu navaviri.

31:41b.NUM.031.041 Mozisi akapa Ereazari mupirisiti mugove wakatarwa, chakanga chiri chipiriso chakatsaurirwa Jehovha, sezvakarairwa Mozisi naJehovha.

31:42b.NUM.031.042 Pahafu yavana vaIsiraeri, yakanga yakamurwa naMozisi kuvanhu vakanga vandorwa,

31:43b.NUM.031.043 (zvino hafu yeungano yaiva makwai ane zviuru zvina mazana matatu namakumi matatu, nezviuru zvinomwe namazana mashanu,

31:44b.NUM.031.044 nemombe dzine zviuru zvina makumi matatu nezviuru zvitatu,

31:45b.NUM.031.045 nembongoro dzine zviuru zvina makumi matatu namazana mashanu,

31:46b.NUM.031.046 navanhu vane zviuru zvine gumi nezvitanhatu).

31:47b.NUM.031.047 Pahafu yavana vaIsiraeri Mozisi akatora chimwe kumakumi mashanu, kuvana nokuzvipfuwo, akazvipa vaRevhi vaichengeta tabhenakeri yaJehovha; sezvakarairwa Mozisi naJehovha.

31:48b.NUM.031.048 Zvino vatariri vaiva pamusoro pezviuru zvehondo, navakuru vezviuru, navakuru vamazana vakaswedera kuna Mozisi,

31:49b.NUM.031.049 vakati kuna Mozisi, Varanda venyu vakaverenga varume vehondo vanorairwa nesu; hakuna mumwe wedu usipo.

31:50b.NUM.031.050 Zvino tauya nechipo chaJehovha, zvakawanikwa nomumwe nomumwe: Zvishongo zvendarama, neketani dzomumakumbo nedzomumaoko, nezvindori zveminwe, nezvindori zvomunzeve, nezvomumutsipa, kuyananisira mweya yedu pamberi paJehovha.

31:51b.NUM.031.051 Mozisi naEreazari mupirisiti vakagamuchira kwavari ndarama, zviri zvishongo zvamarudzi ose zvakaitwa nayo.

31:52b.NUM.031.052 Ndarama yose yechipiriso chakatsaurwa, chavakapa Jehovha, chavakuru vezviuru nechavakuru vamazana, aiva mashekeri ane zviuru zvine gumi nezvitanhatu namazana manomwe namakumi mashanu.

31:53b.NUM.031.053 (Nokuti varume vehondo vakanga vatora mugove wavo wezvakatapwa, mumwe nomumwe.)

31:54b.NUM.031.054 Mozisi naEreazari mupirisiti vakagamuchira ndarama kuvakuru vezviuru navamazana, vakaiisa mutende rokusangana, kuti chive chirangaridzo kuvana vaIsiraeri pamberi paJehovha.

32

32:1b.NUM.032.001 Vana vaRubheni navana vaGadhi vakanga vane zvipfuwo zvizhinji kwazvo; zvino vakati vachitarira nyika yeJazeri nenyika yeGiriyadhi, vakaona kuti inzvimbo yakafanira zvipfuwo.

32:2b.NUM.032.002 Ipapo vana vaGadhi navana vaRubheni vakauya vakataurirana naMozisi naEreazari mupirisiti namachinda eungano, vakati,

32:3b.NUM.032.003 Ataroti neDhibhoni neJazeri neNimura neHeshibhoni neEreari neSebhami neNebho neBheoni.

32:4b.NUM.032.004 Nyika dzakakundwa naJehovha pamberi peungano yaIsiraeri, inyika yakafanira zvipfuwo; zvino isu varanda venyu, tine zvipfuwo.

32:5b.NUM.032.005 Vakati, Kana takawana nyasha pamberi penyu, nyika ino ngaipiwe varanda venyu, ive yavo; musatiyambutsa henyu Jorodhani.

32:6b.NUM.032.006 Mozisi akati kuvana vaGadhi navana vaRubheni, Ko hama dzenyu dzingaenda kundorwa, imwi mukagara pano here?

32:7b.NUM.032.007 Munoodzereiko moyo yavana vaIsiraeri varege kuenda kunyika yavakapiwa naJehovha?

32:8b.NUM.032.008 Ndizvo zvakaita madzibaba enyu nguva yandakavatuma vari paKadheshi-bharinea, kundoshora nyika.

32:9b.NUM.032.009 Nokuti vakati vakwira kumupata weEshikori, vakaona nyika, vakaodza moyo yavana vaIsiraeri, kuti varege kupinda munyika yavakanga vapiwa naJehovha.

32:10b.NUM.032.010 Jehovha akatsamwa nomusi iwoyo, akapika, akati,

32:11b.NUM.032.011 Zvirokwazvo, hakungavi nomumwe wavarume vakabuda Ijipiti, ana makore makumi maviri nounopfuura, ungandoona nyika yandakapikira Abhurahamu naIsaka naJakobho, nokuti havana kunditevera nomoyo wose;

32:12b.NUM.032.012 asi Karebhu, mwanakomana waJefune, muKenizi, naJoshua, mwanakomana waNuni, nokuti ivo vakatevera Jehovha nomoyo wose.

32:13b.NUM.032.013 Jehovha akatsamwira vaIsiraeri, akavadzungairisa murenje makore ana makumi mana, kusvikira rudzi rwose rwakanga rwatadza pamberi paJehovha rwaparadzwa.

32:14b.NUM.032.014 Zvino tarirai, imwi makamuka panzvimbo yamadzibaba enyu, vana chaivo vavanhu vezvivi, kuti muwedzere kutsamwa kukuru kwaJehovha pamusoro paIsiraeri.

32:15b.NUM.032.015 Nokuti kana mukatsauka pakumutevera, uchavasiyazve murenje; imwi muchaparadza vanhu ava vose.

32:16b.NUM.032.016 Vakaswedera kwaari, vakati, Tichavakira zvipfuwo zvedu matanga navana vedu vaduku maguta pano;

32:17b.NUM.032.017 asi isu tichazvigadzirira kurwa, kuti titungamirire vana vaIsiraeri, kudzimana tavasvitsa kunzvimbo yavo; vana vedu vachagara mumaguta akakombwa namasvingo nokuda kwavanhu vagere munyika.

32:18b.NUM.032.018 Hatingadzokeri kudzimba dzedu kudzimana vana vaIsiraeri vose vapiwa nhaka yavo.

32:19b.NUM.032.019 Nokuti hatingagari nhaka pamwechete navo mhiri kwaJorodhani nemberi; nokuti isu tagoverwa nhaka yedu nechouno mhiri kwaJorodhani kurutivi rwamabvazuva.

32:20b.NUM.032.020 Zvino Mozisi akati kwavari, Kana mukaita chinhu ichi, kana mukashonga nhumbi dzenyu dzokurwa, kuti muende pamberi paJehovha kundorwa,

32:21b.NUM.032.021 mumwe nomumwe wenyu wakashonga akayambuka Jorodhani pamberi paJehovha, kudzimana iye adzinga vavengi vake pamberi pake,

32:22b.NUM.032.022 nyika ikakundwa pamberi paJehovha, ipapo mungadzoka henyu, hamungavi nemhosva kuna Jehovha nokuvaIsiraeri; nyika ino igova nhaka yenyu pamberi paJehovha.

32:23b.NUM.032.023 Asi kana mukasaita saizvozvo, tarirai matadzira Jehovha, muzive kuti zvivi zvenyu zvichakuwanai.

32:24b.NUM.032.024 Vakirai henyu vana venyu maguta namakwai enyu matanga; itai sezvamakataura.

32:25b.NUM.032.025 Vana vaGadhi navana vaRubheni vakataura naMozisi, vakati, Varanda venyu vachaita sezvakaraira tenzi wedu.

32:26b.NUM.032.026 Vana vedu, navakadzi vedu, nezvipfuwo zvedu, nemombe dzedu dzose, zvichagara mumaguta eGiriyadhi;

32:27b.NUM.032.027 asi varanda venyu vachayambuka, vose vakazvigadzirira kundorwa, kundorwa pamberi paJehovha, sezvakataurwa natenzi wedu.

32:28b.NUM.032.028 Naizvozvo Mozisi akaraira pamusoro pavo Ereazari mupirisiti, naJoshua, mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana vaIsiraeri;

32:29b.NUM.032.029 Mozisi akati kwavari, Kana vana vaGadhi navana vaRubheni vakayambuka nemi, murume mumwe nomumwe wakazvigadzira kundorwa pamberi paJehovha, nyika ikakundwa pamberi penyu; ipapo munofanira kuvapa nyika yeGiriyadhi, ive yavo.

32:30b.NUM.032.030 Asi kana vasingayambuki nemi, vakashonga nhumbi dzavo dzokurwa, vanofanira kupiwa nhaka yavo pakati penyu panyika yeKenani.

32:31b.NUM.032.031 Ipapo vana vaGadhi navana vaRubheni vakapindura, vakati, Sezvakareva Jehovha kuvaranda venyu, ndizvo zvatichaita.

32:32b.NUM.032.032 Tichayambukira pamberi paJehovha kunyika yeKenani, takashonga nhumbi dzedu dzokurwa, kuti tipiwe nhaka yedu nechouno mhiri kwaJorodhani.

32:33b.NUM.032.033 Zvino Mozisi akavapa, ivo vana vaGadhi navana vaRubheni, nehafu yorudzi rwaManase, mwanakomana waJosefa, ushe hwaSihoni, mambo wavaAmori, noushe hwaOgi, mambo weBhashani, nyika namaguta ayo nemiganhu yayo, iwo maguta enyika yose yakapoteredza.

32:34b.NUM.032.034 Vana vaGadhi vakavaka Dhibhoni, neAtaroti, neAroeri,

32:35b.NUM.032.035 neAtirotishofani, neJazeri, neJogibheha,

32:36b.NUM.032.036 neBheti-nimura, neBheti-harani, ari maguta akakombwa namasvingo, ana matanga amakwai.

32:37b.NUM.032.037 Vana vaRubheni vakavaka Heshibhoni, neEreari, neKiriataimi,

32:38b.NUM.032.038 neNebho, neBhaari-meoni (vashandura mazita awo), neSibhima; vakatumidza maguta avakavaka mamwe mazita.

32:39b.NUM.032.039 Vana vaMakiri, mwanakomana waManase, vakaenda Giriyadhi, vakarikunda, vakadzinga vaAmori vakanga vageremo.

32:40b.NUM.032.040 Mozisi akapa Makiri, mwanakomana waManase, Giriyadhi, iye akagaramo.

32:41b.NUM.032.041 Jairi, mwanakomana waManase, akakunda misha yaro, akaitumidza Misha yaJairi.

32:42b.NUM.032.042 Nobha akandokunda Kenati, nemisha yaro yakanga yakabatwa naro, akaritumidza Nobha, nezita rake.

33

33:1b.NUM.033.001 Ndidzo nzendo dzavana vaIsiraeri, pakubuda kwavo panyika yeIjipiti namapoka avo vachitungamirirwa naMozisi naAroni.

33:2b.NUM.033.002 Mozisi akanyora kusimuka kwavo nenzendo dzavo, arairwa naJehovha; ndidzo nzendo dzavo nokusimuka kwavo.

33:3b.NUM.033.003 Vakasimuka paRamesesi nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namashanu romwedzi wokutanga; mangwanani akatevera Pasika vana vaIsiraeri vakabuda noruoko rune simba pamberi pavaIjipiti vose,

33:4b.NUM.033.004 vaIjipiti vachiviga matangwe avo ose, akanga aurawa naJehovha pakati pavo; Jehovha akatongawo vamwari vavo.

33:5b.NUM.033.005 VaIsiraeri vakasimuka paRamesesi, vakandodzika matende avo paSukoti.

33:6b.NUM.033.006 Vakasimuka paSukoti, vakandodzika paEtami, pamuuyo werenje.

33:7b.NUM.033.007 Vakasimuka paEtami, vakadzokera Pi-hahiroti, pamberi peBhaari-sefoni, vakadzika pamberi peMigidhori.

33:8b.NUM.033.008 Vakasimuka pamberi peHahiroti, vakapinda nomukati megungwa, vakasvika murenje, vakafamba mazuva matatu murenje reEtami, vakandodzika paMara.

33:9b.NUM.033.009 Vakasimuka paMara, vakasvika Erimi; paErimi pakanga pana matsime ane gumi namaviri emvura, nemiti yemichindwe ina makumi manomwe; vakadzika matende avo ipapo.

33:10b.NUM.033.010 Vakasimuka paErimi, vakandodzika paGungwa Dzvuku.

33:11b.NUM.033.011 Vakasimuka paGungwa Dzvuku, vakandodzika murenje reSini.

33:12b.NUM.033.012 Vakasimuka murenje reSini, vakandodzika paDhofika.

33:13b.NUM.033.013 Vakasimuka paDhofika, vakandodzika paArushi.

33:14b.NUM.033.014 Vakasimuka paArushi, vakandodzika paRefidhimu, pakanga pasina mvura yokunwa yavanhu.

33:15b.NUM.033.015 Vakasimuka paRefidhimu, vakandodzika murenje reSinai.

33:16b.NUM.033.016 Vakasimuka murenje reSinai, vakandodzika paKibhuroti-hatava.

33:17b.NUM.033.017 Vakasimuka paKibhuroti hatava, vakandodzika paHazeroti.

33:18b.NUM.033.018 Vakasimuka paHazeroti, vakandodzika paRitima.

33:19b.NUM.033.019 Vakasimuka paRitima, vakandodzika paRimoni-perezi.

33:20b.NUM.033.020 Vakasimuka paRimon-iperezi, vakandodzika paRibhina.

33:21b.NUM.033.021 Vakasimuka paRibhina, vakandodzika paRisa.

33:22b.NUM.033.022 Vakasimuka paRisa, vakandodzika paKeherata.

33:23b.NUM.033.023 Vakasimuka paKeherata, vakandodzika pagomo reSheferi.

33:24b.NUM.033.024 Vakasimuka pagomo reSheferi, vakandodzika paHaradha.

33:25b.NUM.033.025 Vakasimuka paHaradha, vakandodzika paMakeroti.

33:26b.NUM.033.026 Vakasimuka paMakeroti, vakandodzika paTahati.

33:27b.NUM.033.027 Vakasimuka paTahati, vakandodzika paTera.

33:28b.NUM.033.028 Vakasimuka paTera, vakandodzika paMitika.

33:29b.NUM.033.029 Vakasimuka paMitika, vakandodzika paHashimona.

33:30b.NUM.033.030 Vakasimuka paHashimona, vakandodzika paMoseroti.

33:31b.NUM.033.031 Vakasimuka paMoseroti, vakandodzika paBhene-jakani.

33:32b.NUM.033.032 Vakasimuka paBhene-jakani, vakandodzika paHorihagidhigadhi.

33:33b.NUM.033.033 Vakasimuka paHori-hagidhigadhi, vakandodzika paJotibhata.

33:34b.NUM.033.034 Vakasimuka paJotibhata, vakandodzika paAbhurona.

33:35b.NUM.033.035 Vakasimuka paAbhurona, vakandodzika paEZiyoni-gebheri.

33:36b.NUM.033.036 Vakasimuka paEZiyoni-gebheri, vakandodzika murenje reZini (ndipo paKadheshi).

33:37b.NUM.033.037 Vakasimuka paKadheshi, vakandodzika pagomo reHori, pamuuyo wenyika yeEdhomu.

33:38b.NUM.033.038 Aroni mupirisiti akakwira pagomo reHori, arairwa naJehovha, akafirapo, negore ramakumi mana rokubuda kwavana vaIsiraeri paIjipiti, nomwedzi wechishanu,nezuva rokutanga romwedzi.

33:39b.NUM.033.039 Aroni wakanga ana makore ane zana namakumi maviri namatatu pakufa kwake pagomo reHori.

33:40b.NUM.033.040 Zvino mambo weAradhi, muKenani, wakanga agere kurutivi rweZasi munyika yeKenani, akanzwa kuti vana vaIsiraeri vouya.

33:41b.NUM.033.041 Vakasimuka pagomo reHori, vakandodzika matende avo paZarimona.

33:42b.NUM.033.042 Vakasimuka paZarimona, vakandodzika paPunoni.

33:43b.NUM.033.043 Vakasimuka paPunoni, vakandodzika paObhoti.

33:44b.NUM.033.044 Vakasimuka paObhoti, vakandodzika paIye-abharimi, pamuganhu weMoabhu.

33:45b.NUM.033.045 Vakasimuka paIyimi, vakandodzika paDhibhoni-gadhi.

33:46b.NUM.033.046 Vakasimuka paDhibhoni-gadhi, vakandodzika paArimoni-dhibhurataimi.

33:47b.NUM.033.047 Vakasimuka paArimoni-dhibhurataimi, vakandodzika paAbharimu, pamberi peNebho.

33:48b.NUM.033.048 Vakasimuka pamakomo eAbharimu, vakandodzika pamapani eMoabhu, paJorodhani paJeriko.

33:49b.NUM.033.049 Vakadzika matende avo paJorodhani, kubva paBhetijeshimoti kusvika paAbherishitimu, pamapani eMoabhu.

33:50b.NUM.033.050 Zvino Jehovha akataura naMozisi pamapani eMoabhu, paJorodhani paJeriko, akati,

33:51b.NUM.033.051 Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, Kana mayambuka Jorodhani, mukasvika munyika yeKenani,

33:52b.NUM.033.052 munofanira kudzinga vanhu vose vagere munyika pamberi penyu,nokuparadza zvifananidzo zvavo zvamabwe, nokuparadza zvifananidzo zvavo zvakaumbwa, nokuputsa nzvimbo dzavo dzakakwirira.

33:53b.NUM.033.053 Munofanira kutora nyika, ive yenyu, mugaremo; nokuti ndakakupai nyika iyo, ive yenyu.

33:54b.NUM.033.054 Munofanira kupiwa nhaka yenyika iyo nemijenya, nemhuri dzenyu; vazhinji munofanira kuvapa nhaka zhinji, vashoma munofanira kuvapa nhaka shoma; sezvakagoverwa nemijenya, saizvozvo inofanira kuva nhaka yomunhu; munofanira kugara nhaka namarudzi amadzibaba enyu.

33:55b.NUM.033.055 Asi kana musingadi kudzinga vanhu vagere munyika pamberi penyu, ipapo ivo kwavari vamunorega vachava sechinhu chinobaya pameso enyu, neseminzwa panhivi dzenyu, vacharwa nemi munyika mamugere.

33:56b.NUM.033.056 Ipapo ndichakuitirai imwi sezvandakafunga kuvaitira ivo.

34

34:1b.NUM.034.001 Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,

34:2b.NUM.034.002 Raira vana vaIsiraeri, uti kwavari, Kana masvika munyika yeKenani, (ndiyo nyika ichava nhaka yenyu, iyo nyika yeKenani, kusvikira kumiganhu yayo,)

34:3b.NUM.034.003 rutivi rwenyu rwezasi runofanira kutanga murenje reZini ruchienda nokurutivi rweEdhomu; muganhu wenyu wezasi uchatanga pamuuyu weGungwa roMunyu, uchienda kumabvazuva;

34:4b.NUM.034.004 zvino muganhu wenyu upote nechezasi kwegomo reAkirabhimu, ndokupfuurira kuZini, ugobuda nechezasi kweKadheshi-bharinea; zvino upfuure kuHazari-adhari, ugondosvika Azimoni;

34:5b.NUM.034.005 zvino muganhu unofanira kupota uchitanga paAzimoni, kusvika kurukova rweIjipiti, ndokubuda paGungwa.

34:6b.NUM.034.006 Muganhu wenyu wokumavirazuva ndiro Gungwa Guru nenyika yaro; ndiwo muganhu wokumavirazuva.

34:7b.NUM.034.007 Ndiwo muganhu wenyu wokumusoro: Kubva paGungwa Guru munofanira kutara muganhu wenyu kusvika pagomo reHori;

34:8b.NUM.034.008 kubva paHori munofanira kutara muganhu wenyu kusvika pavanopinda paHamati, muganhu ugondogumira paZedhadhi.

34:9b.NUM.034.009 Zvino muganhu upfuurire kusvika paZifuroni, ugondoguma paHazari-enani; ndiwo muganhu wenyu wokumusoro.

34:10b.NUM.034.010 Munofanira kutarawo muganhu wenyu wokumabvazuva, kubva paHazari-enani kusvika paShefami.

34:11b.NUM.034.011 Kubva paShefami muganhu uburukire Ribhira, kumabvazuva kweAini; zvino muganhu uburuke, ugondosvika kurutivi rwegungwa reKinereti kumabvazuva;

34:12b.NUM.034.012 zvino muganhu uburukire kuJorodhani, ugondoguma paGungwa roMunyu; ndiyo ichava nyika yenyu nemiganhu yayo kunhivi dzose.

34:13b.NUM.034.013 Mozisi akaraira vana vaIsiraeri, akati, Ndiyo nyika yamuchapiwa nemijenya ive nhaka yenyu, yakarairwa naJehovha kuti ipiwe marudzi mapfumbamwe nehafu;

34:14b.NUM.034.014 nokuti rudzi rwavana vaRubheni, nedzimba dzamadzibaba avo, norudzi rwavana vaGadhi, nedzimba dzamadzibaba avo, vatopiwa havo, nehafu yorudzi rwaManase vatopiwa havo nhaka yavo;

34:15b.NUM.034.015 marudzi awa maviri nehafu akapiwa nhaka yawo nechemhiri kwaJoroclhani paJeriko, kumabvazuva kunobuda zuva nako.

34:16b.NUM.034.016 Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,

34:17b.NUM.034.017 Ndiwo mazita avarume vanofanira kukugoverai nyika kuti ive nhaka yenyu: Ereazari mupirisiti, naJoshua, mwanakomana waNuni.

34:18b.NUM.034.018 Munofanira kutsaurawo muchinda mumwe kurudzi rumwe norumwe kugovera nyika ive nhaka yenyu.

34:19b.NUM.034.019 Ndiwo mazita avarume ivavo: Kurudzi rwaJudha, Karebhu, mwanakomana waJefune;

34:20b.NUM.034.020 kurudzi rwavana vaSimiyoni, Shemueri, mwanakomana waAmihudhi;

34:21b.NUM.034.021 kurudzi kwaBhenjamini, Eridhadhi, mwanakomana waKisironi;

34:22b.NUM.034.022 kurudzi rwavaDhani, muchinda Bhuki, mwanakomana waJogiri;

34:23b.NUM.034.023 kuvana vaJosefa, kurudzi rwavana vaManase, muchinda Hanieri, mwanakomana waEfodhi;

34:24b.NUM.034.024 kurudzi rwavana vaEfuremu, muchinda Kemueri, mwanakomana waShifitani;

34:25b.NUM.034.025 kurudzi rwavana vaZebhuruni, muchinda Erizafani, mwanakomana waAzani ;

34:26b.NUM.034.026 kurudzi rwavana vaIsakari, muchinda Patieri, mwanakomana waAzani,

34:27b.NUM.034.027 kurudzi rwavana vaAsheri, muchinda Ahihudhi, mwanakomana waSheromi;

34:28b.NUM.034.028 kurudzi rwavana vaNafutari, muchinda Pedhaheri, mwanakomana waAmihudhi.

34:29b.NUM.034.029 Ndivo vakarairwa naJehovha kuti vagovere nyika yeKenani, ive nhaka yavana vaIsiraeri.

35

35:1b.NUM.035.001 Zvino Jehovha akataura naMozisi pamapani eMoabhu, paJorodhani paJeriko, akati,

35:2b.NUM.035.002 Raira vana vaIsiraeri, kuti vape vaRevhi panhaka yavakagara ivo, maguta mavangagara; munofanirawo kupa vaRevhi ruwa runopoteredza maguta avo.

35:3b.NUM.035.003 Vanofanira kuva namaguta mavangagara; noruwa rwawo runofanira kuva rwemombe dzavo, nefuma yavo, nezvipfuwo zvavo zvose.

35:4b.NUM.035.004 Ruwa rwamaguta, amunofanira kupa vaRevhi, runofanira kutanga parusvingo rweguta ndokupoteredza guta kusvika pamakubhiti ane chiuru chimwe kunhivi dzose.

35:5b.NUM.035.005 Munofanira kuyera kunze kweguta, kurutivi rwokumabvazuva makubhiti ane zviuru zviviri, nokurutivi rwezasi makubhiti ane zviuru zviviri, nokurutivi rwokumusoro makubhiti ane zviuru zviviri, guta riri pakati. Ndirwo runofanira kuva ruwa rwamaguta avo.

35:6b.NUM.035.006 Maguta amunopa vaRevhi anofanira kuva maguta matanhatu outiziro, amunofanira kuvapa, kuti muurayi atizire kwaari; kunze kwaiwayo munofanira kuvapa maguta ana makumi mana namaviri.

35:7b.NUM.035.007 Maguta ose amunopa vaRevhi anofanira kuva maguta ana makumi mana namasere, iwo noruwa rwawo.

35:8b.NUM.035.008 Kana ari maguta amunotora panhaka dzavana vaIsiraeri, kuna vana mazhinji munofanira kutora mazhinji, kuna vana mashoma munofanira kutora mashoma; rudzi rumwe norumwe runofanira kupa vaRevhi mamwe maguta, sezvarwakapiwa nhaka yarwo.

35:9b.NUM.035.009 Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,

35:10b.NUM.035.010 Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, Kana mayambuka Jorodhani, mukapinda munyika yeKenani,

35:11b.NUM.035.011 munofanira kuzvisanangurira maguta, ave maguta outiziro kwamuri; kuti muurayi, anouraya munhu asingaiti nohwoni atizireko.

35:12b.NUM.035.012 Maguta iwayo anofanira kuva kwamuri utiziro pamutsivi, kuti muurayi arege kufa, asina kumbotongwa pamberi peungano.

35:13b.NUM.035.013 Maguta amunovapa, anofanira kuva kwamuri maguta matanhatu outiziro.

35:14b.NUM.035.014 Munofanira kuvapa maguta matatu mhiri kwaJorodhani, namamwe maguta matatu munofanira kuvapa munyika yeKenani; ndiwo anofanira kuva maguta outiziro.

35:15b.NUM.035.015 Maguta iwayo matanhatu anofanira kuva utiziro kuvana vaIsiraeri, nokumweni, nokumutorwa ugere pakati pavo; kuti mumwe nomumwe wakauraya munhu, asina kuita nohwoni, atizireko.

35:16b.NUM.035.016 Asi kana achinge amurova nenhumbi yedare, akafa, wava muurayi; zvino muurayi anofanira kuurawa zvirokwazvo.

35:17b.NUM.035.017 Kana achinge amuuraya nebwe riri muruoko rwake, ringauraya munhu, akafa, wava muurayi; zvino muurayi anofanira kuurawa zvirokwazvo.

35:18b.NUM.035.018 Kana achinge amurova nenhumbi yamatanda iri muruoko rwake, ingauraya munhu, akafa, wava muurayi; muurayi anofanira kuurawa zvirokwazvo.

35:19b.NUM.035.019 Mutsivi weropa ndiye anofanira kuuraya muurayi amene; kana akasangana naye, unofanira kumuuraya.

35:20b.NUM.035.020 Kana achinge amusunga achimuvenga, kana kumuposhera, amuvandira, akafa;

35:21b.NUM.035.021 kana zvimwe akamurova noruoko, achimuvenga, akafa, wakamurova anofanira kuurawa zvirokwazvo, muurayi; mutsivi weropa, anofanira kuuraya muurayi, kana akasangana naye.

35:22b.NUM.035.022 Asi kana achinge amusunda kamwe-kamwe, asina kumuvenga, kana kumuposhera nechinhu, asina kumuvandira,

35:23b.NUM.035.023 kana nebwe, ringauraya munhu, akarikanda pamusoro pake, asingamuoni, akafa, iye asina kumuvenga, kana kutsvaka kumukuvadza;

35:24b.NUM.035.024 zvino ungano inofanira kutonga mhosva pakati pomukuvadzi nomutsivi weropa nemirairo iyi:

35:25b.NUM.035.025 Ipapo ungano inofanira kurwira muurayi paruoko rwomutsivi weropa, ungano igomudzosera kuguta rake routiziro, kwaakanga atizira; zvino iye anofanira kugaramo kusvikira mupirisiti mukuru afa, iye wakazodzwa namafuta matsvene.

35:26b.NUM.035.026 Asi kana nguva ipi neipi muurayi akadarika muganhu weguta rake routiziro, kwaakanga atizira,

35:27b.NUM.035.027 mutsivi weropa akamuwana kunze kwomuganhu weguta rako routiziro, mutsivi weropa akauraya muurayi uyo, iye haangavi nemhosva yeropa rake;

35:28b.NUM.035.028 nokuti waifanira kugara muguta rake routiziro kusvikira mupirisiti mukuru afa; asi kana mupirisiti mukuru afa, muurayi anofanira kudzokera kunyika yake.

35:29b.NUM.035.029 Izvi zvinofanira kuva kwamuri murayiro wokutonga nawo kusvikira kumarudzi enyu ose kwamunogara kwose.

35:30b.NUM.035.030 Ani naani unouraya munhu, muurayi anofanira kuurawa nokupupura kwezvapupu; asi chapupu chimwe hachifaniri kupupurira munhu akaurawa.

35:31b.NUM.035.031 Uye hamufaniri kugamuchira dzikunuro pamusoro poupenyu hwomuurayi, anofanira kuti aurawe; asi anofanira kuurawa zvirokwazvo.

35:32b.NUM.035.032 Musagamuchira dzikunuro pamusoro pomunhu wakatizira kuguta routiziro, kuti adzokere kugara munyika yake, kusvikira mupirisiti afa.

35:33b.NUM.035.033 Naizvozvo hamufaniri kusvibisa nyika mamugere, nokuti ropa rinosvibisa nyika; nyika haingayananisirwi pamusoro peropa rakateurirwamo, asi kwoga neropa romunhu wakariteura.

35:34b.NUM.035.034 Musasvibisa nyika mamugere, mandigerewo ini; nokuti ini Jehovha ndigere pakati pavana vaIsiraeri.

36

36:1b.NUM.036.001 Zvino vakuru vedzimba dzama dzibaba vemhuri yavana vaGiriyadhi, mwanakomana waManase, vemhuri dzavana vaJosefa, vakaswedera, vakataura pamberi paMozisi, napamberi pamachinda, vaiva vakuru vedzimba dzamadzibaba avana vaIsiraeri,

36:2b.NUM.036.002 vakati, Jehovha akaraira tenzi wangu, kuti agovere nyika nemijenya pakati pavana vaIsiraeri, ive nhaka yavo; uyezve, tenzi wangu wakarairwa naJehovha kupa vanasikana vaZerofehadhi, munununa wedu, nhaka yake.

36:3b.NUM.036.003 Zvino kana ivo vakawanikwa nomumwe wavanakomana vamarudzi mamwe avana vaIsiraeri, nhaka yavo ichafanira kubviswa panhaka yamadzibaba edu, ikawedzerwa panhaka yorudzi kwavanozondogara; saizvozvo ichabviswa panhaka yatakapiwa nemijenya.

36:4b.NUM.036.004 Zvino kana gore reJubheri ravana vaIsiraeri richisvika, nhaka yavo ichawedzerwa panhaka yorudzi kwavagere; naizvozvo nhaka yavo ichabviswa panhaka yorudzi rwamadzibaba edu.

36:5b.NUM.036.005 Zvino Mozisi akaraira vana vaIsiraeri sezvakataura Jehovha, akati, Rudzi rwavana vaJosefa runotaura kwazvo.

36:6b.NUM.036.006 Ndiro shoko rakarairwa naJehovha pamusoro pavanasikana vaZerofehadhi: Ngavawanikwe navavanoda; asi ngavawanikwe naveimba yorudzi rwababa vavo.

36:7b.NUM.036.007 Naizvozvo hapana nhaka yavana vaIsiraeri ingabva kuno rumwe rudzi ikaenda kuno rumwe; nokuti vana vaIsiraeri vanofanira, mumwe nomumwe, kunamatira nhaka yorudzi rwamadzibaba avo.

36:8b.NUM.036.008 Mwanasikana mumwe nomumwe ane nhaka parudzi rupi norupi rwavana vaIsiraeri, ngaawanikwe nomumwe weimba yorudzi rwababa vake, kuti vana vaIsiraeri, mumwe nomumwe, vagare nhaka yamadzibaba avo.

36:9b.NUM.036.009 Naizvozvo hapana nhaka ingazobva kuno rumwe rudzi, ikaenda kuno rumwe rudzi, nokuti marudzi avana vaIsiraeri achanamatira, rumwe norumwe, nhaka yarwo.

36:10b.NUM.036.010 Vanasikana vaZerofehadhi vakaita sezvakarairwa Mozisi naJehovha.

36:11b.NUM.036.011 Nokuti Mara, naTiriza, naHogira, naMirika, naNoa, ivo vanasikana vaZerofehadhi, vakawanikwa navanakomana vavanunguna vababa vavo.

36:12b.NUM.036.012 Vakawanikwa padzimba dzavana vaManase, mwanakomana waJosefa, nhaka ikagara parudzi rweimba yababa vavo.

36:13b.NUM.036.013 Ndiyo mirairo nemitemo, yakarairwa vana vaIsiraeri naJehovha nomuromo waMozisi pamapani eMoabhu paJorodhani paJeriko.


Holder of rights
Multilingual Bible Corpus

Citation Suggestion for this Object
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Numbers (Shona). Numbers (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C560-D