Genesis (Shona)

Genesis (Shona)

1

1:1b.GEN.001.001 Pakutanga Mwari akasika denga nenyika.

1:2b.GEN.001.002 Nyika yakanga isina kugadzirwa, isina chinhu; rima rakanga riripo pamusoro pemvura yakadzika; Mweya waMwari wakanga uchigarira pamusoro pemvura.

1:3b.GEN.001.003 Mwari akati: Chiedza ngachivepo, chiedza chikavapo.

1:4b.GEN.001.004 Mwari akaona chiedza, kuti chakanaka; Mwari akaparadzanisa chiedza nerima.

1:5b.GEN.001.005 Mwari akatumidza chiedza, akati Masikati, nerima akaritumidza akati Usiku. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva rimwe.

1:6b.GEN.001.006 Mwari akati: Nzvimbo ngaivepo pakati pemvura, kuti iparadzanise mvura nemvura.

1:7b.GEN.001.007 Mwari akaita nzvimbo, akaparadzanisa mvura yakanga iri pasi penzvimbo, nemvura yakanga iri pamusoro penzvimbo; zvikaita saizvozvo.

1:8b.GEN.001.008 Mwari akatumidza nzvimbo, akati Denga. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva repiri.

1:9b.GEN.001.009 Mwari akati: Mvura iri pasi pedenga ngaiungane pamwechete, kuti pasi pakaoma paonekwe; zvikaita saizvozvo.

1:10b.GEN.001.010 Mwari akatumidza pasi pakaoma, akati Nyika; nemvura yakaungana akaitumidza, akati Makungwa; Mwari akaona kuti zvakanaka.

1:11b.GEN.001.011 Mwari akati: Nyika ngaimerese uswa nemiriwo inobereka mbeu, nemiti inobereka michero inamarudzi ayo, mbeu dzayo dziri mukati mayo, panyika; zvikaita saizvozvo.

1:12b.GEN.001.012 Nyika ikameresa uswa, nemiriwo inobereka mbeu dzina marudzi adzo, nemiti inobereka michero, mbeu dzayo dziri mukati mayo, inamarudzi ayo; Mwari akaona kuti zvakanaka.

1:13b.GEN.001.013 Madeko akavapo namangwanani akavapo zuva retatu.

1:14b.GEN.001.014 Mwari akati: Zviedza ngazvivepo panzvimbo yedenga, kuti zviparadzanise masikati nousiku; kuti zvive zviratidzo, nenguva, namazuva, namakore;

1:15b.GEN.001.015 ngazvive zviedza panzvimbo yedenga, kuti zvivhenekere panyika; zvikaita saizvozvo.

1:16b.GEN.001.016 Mwari akaita zviedza zvikuru zviviri; chiedza chikuru kuti chibate ushe masikati, nechiedza chiduku, kuti chibate ushe usiku, nenyeredziwo.

1:17b.GEN.001.017 Mwari akazviisa pasi penzvimbo yedenga, kuti zvivhenekere panyika,

1:18b.GEN.001.018 zvibate ushe masikati nousiku, nokuparadzanisa chiedza nerima; Mwari akaona kuti zvakanaka.

1:19b.GEN.001.019 Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechina.

1:20b.GEN.001.020 Mwari akati: Mvura ngaizare nezvipenyu zvizhinji, neshiri dzibhururuke pamusoro penyika munzvimbo yedenga.

1:21b.GEN.001.021 Mwari akasika mhuka huru dzegungwa, nezvipenyu zvose zvinokambaira, izvo mvura yakanga izere nazvo, zvina marudzi azvo, neshiri dzose dzina mapapiro, dzina marudzi adzo; Mwari akaona kuti zvakanaka.

1:22b.GEN.001.022 Mwari akazviropafadza, akati: Berekai, muwande, muzadze mvura iri mumakungwa; neshiri ngadziwande panyika.

1:23b.GEN.001.023 Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva reshanu.

1:24b.GEN.001.024 Mwari akati: Nyika ngaibereke zvipenyu zvina marudzi azvo, nezvipfuwo, nezvinokambaira, nemhuka dzenyika, zvina marudzi azvo; zvikaita saizvozvo.

1:25b.GEN.001.025 Mwari akaita mhuka dzenyika dzina marudzi adzo, nezvipfuwo zvina marudzi azvo, nezvinhu zvose zvinokambaira panyika zvina marudzi azvo; Mwari akaona kuti zvakanaka.

1:26b.GEN.001.026 Mwari akati: Ngatiite munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu; ngaave nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro penyika yose, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.

1:27b.GEN.001.027 Mwari akasika munhu nomufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi.

1:28b.GEN.001.028 Mwari akavaropafadza, Mwari akati kwavari: Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.

1:29b.GEN.001.029 Mwari akati: Tarirai, ndakakupai miriwo yose inobereka mbeu, iri panyika yose, nemiti yose ine michero yemiti inobereka mbeu, kuti zvive zvokudya zvenyu.

1:30b.GEN.001.030 Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzedenga, nezvipenyu zvose zvinokambaira panyika, zvinemweya woupenyu, ndakazvipa miriwo yose minyoro, kuti zvive zvokudya zvazvo; zvikaita saizvozvo.

1:31b.GEN.001.031 Mwari akaona zvose zvaakaita, onei zvakanaka kwazvo. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva retanhatu.

2

2:1b.GEN.002.001 Denga nenyika zvikapera saizvozvo, nouzhinji hwazvo.

2:2b.GEN.002.002 Mwari akapedza basa rake raakaita nomusi wechinomwe; akazorora nomusi wechinomwe pabasa rake rose raakaita.

2:3b.GEN.002.003 Mwari akaropafadza musi wechinomwe, akauita mutsvene; nokuti akazorora nawo pabasa rake rose, raakanga asika nokuita iye Mwari. Kusikwa kwavanhu vokutanga nokuiswa kwavo muEdheni

2:4b.GEN.002.004 Ndiko kuvamba kwedenga nenyika, musi wazvakasikwa: Nezuva iroro Jehovha Mwari raakasika naro nyika nedenga,

2:5b.GEN.002.005 makwenzi esango akanga achigere kuvapo panyika, nemiriwo yesango yakanga ichigere kumera; nokuti Jehovha Mwari akanga asati anaisa mvura panyika, uye kwakanga kusina munhu kuzorima pasi;

2:6b.GEN.002.006 asi mhute yaisikwira ichibva panyika ichinyorevesa nyika yose.

2:7b.GEN.002.007 Jehovha Mwari akaumba munhu neguruva revhu, akafuridzira mweya woupenyu mumhino dzake; munhu akava mweya mupenyu.

2:8b.GEN.002.008 Jehovha Mwari akasima munda muEdheni, kumabvazuva, akaisapo munhu waakanga aumba.

2:9b.GEN.002.009 Jehovha Mwari akameresa pasi miti yose inofadza meso, neyakanaka kudya; uye muti woupenyu pakati pomunda, nomuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa.

2:10b.GEN.002.010 MuEdheni mukabuda rwizi kuzodiridza munda uyo, rukaparadzana ipapo, dzikaita hova ina.

2:11b.GEN.002.011 Zita rorwokutanga ndiPishoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeHavhira, pane ndarama ipapo;

2:12b.GEN.002.012 ndarama yenyika iyoyo yakanaka; uyewo pane dheriumu nebwe reonikisi.

2:13b.GEN.002.013 Zita rorwizi rwechipiri ndiGihoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeKushi.

2:14b.GEN.002.014 Zita rorwizi rwechitatu ndiHedhekeri, ndirwo runoyerera kumabvazuva kweAsiria. Rwizi rwechina ndiYufuratesi.

2:15b.GEN.002.015 Jehovha Mwari akatora munhu, akamuisa mumunda weEdheni, kuti aurime nokuuchengeta.

2:16b.GEN.002.016 Jehovha Mwari akaraira munhu achiti, Ungadya hako miti yose yomunda,

2:17b.GEN.002.017 asi muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa usaudya; nokuti nomusi waunoudya, uchafa zvirokwazvo.

2:18b.GEN.002.018 Jehovha Mwari akatizve, Hazvina kunaka kuti munhu agare ari woga; ndichamuitira mubatsiri akamukwanira.

2:19b.GEN.002.019 Jehovha Mwari akaumba nevhu mhuka dzose dzesango, neshiri dzose dzedenga, akadziisa kumunhu kuti aone kuti achadzitumidza mazita api; zvipenyu zvose sezvazvakatumidzwa nomunhu, ndiwo akava mazita azvo.

2:20b.GEN.002.020 Munhu akatumidza zvipfuwo zvose mazita, neshiri dzedenga, nemhuka dzose dzesango; asi kwakashaikwa mubatsiri akamukwanira iye munhu.

2:21b.GEN.002.021 Ipapo Jehovha Mwari akavatisa munhu hope huru, akavata; akatora rumbabvu rwake rumwe, akadzivira nyama panzvimbo yarwo.

2:22b.GEN.002.022 Norumbabvu urwo Jehovha Mwari rwaakatora pamunhu, akaita mukadzi narwo, akamuisa kumunhu.

2:23b.GEN.002.023 Munhu akati, Zvino uyu ipfupa ramapfupa angu, nenyama yenyama yangu, uchatumidzwa Mukadzi, nokuti wakabviswa paMurume.

2:24b.GEN.002.024 Naizvozvo munhu anofanira kusiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake, vave nyama imwe.

2:25b.GEN.002.025 Vose vari vaviri vakanga vasina kusimira, munhu nomukadzi wake, asi havana kunyara.

3

3:1b.GEN.003.001 Zvino nyoka yakanga ina mano kupfuura mhuka dzose dzesango dzakanga dzaitwa naJehovha Mwari. Ikati kumukadzi, Nhai, ndizvo here kuti Mwari akati, Regai kudya miti yose yomunda?

3:2b.GEN.003.002 Mukadzi akati kunyoka, Tingadya hedu michero yemiti pamunda,

3:3b.GEN.003.003 asi kana iri michero yomuti uri pakati pomunda, Mwari akati, Regai kuudya, kana kuubata, kuti murege kufa.

3:4b.GEN.003.004 Nyoka ikati kumukadzi, Hamungafi zviro kwazvo,

3:5b.GEN.003.005 nokuti Mwari anoziva kuti nomusi wamunoudya nawo, meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.

3:6b.GEN.003.006 Zvino mukadzi akati achiona kuti muti wakanaka kudyiwa, uye kuti unofadza meso, uye kuti muti unodikanwa kungwadza munhu, akatora muchero yawo, akadya, akapawo murume wake, akadya naiyewo.

3:7b.GEN.003.007 Ipapo meso avo, ivo vaviri, akasvinudzwa, vakaziva kuti havana kusimira; vakasonanidza mashizha omuonde, vakazviitira nguvo.

3:8b.GEN.003.008 Vakanzwa inzwi raJehovha Mwari achifamba mumunda kwotonhorera madekwana, munhu nomukadzi wake ndokundohwanda pamberi paJehovha Mwari pakati pemiti yomunda.

3:9b.GEN.003.009 Jehovha Mwari akadana munhu, akati kwaari, Uripiko?

3:10b.GEN.003.010 Iye akati, Ndakanzwa inzwi renyu mumunda, ndikatya, nokuti ndakanga ndisina kusimira, ndikahwanda.

3:11b.GEN.003.011 Iye akati, Ndianiko akakuudza kuti hauna kusimira? Wakadya kanhi muti wandakakuraira kuti urege kuudya?

3:12b.GEN.003.012 Munhu akati, Mukadzi wamakandipa kuti ave neni, ndiye wakandipa zvomuti ndikadya.

3:13b.GEN.003.013 Jehovha Mwari akati kumukadzi, Chiiko icho chawakaita? Mukadzi akati, Nyoka yakandinyengera, ndikadya.

3:14b.GEN.003.014 Jehovha Mwari akati kunyoka, Zvawaita izvozvo, watukwa kupfuura mhuka dzose dzesango; uchafamba nedumbu rako, uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako.

3:15b.GEN.003.015 Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake, irwo rwuchapwanya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo.

3:16b.GEN.003.016 Kumukadzi akati, Ndichawanza zvikuru kurwadziwa kwako nokutora mimba kwako, uchabereka vana uchirwadziwa; kuda kwako kuchava kumurume wako, iye achava ishe wako.

3:17b.GEN.003.017 Kumunhu akati, Zvawakateerera inzwi romukadzi wako, ukadya muti wandakakuraira ndichiti, Usaudya, zvino nyika yatukwa nemhosva yako, uchadya zvibereko zvayo nokutambudzika mazuva ose oupenyu hwako;

3:18b.GEN.003.018 ichakuberekera minzwa norukato, iwe uchadya miriwo yomusango;

3:19b.GEN.003.019 uchadya zvokudya zvako neziya rechiso chako kusvikira wadzokera kuvhu; nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva.

3:20b.GEN.003.020 Munhu akatumidza mukadzi wake zita rinonzi Evha; nokuti ndiye mai vavapenyu vose.

3:21b.GEN.003.021 Jehovha Mwari akaitira munhu nomukadzi wake nguvo dzamatehwe, akavafukidza nadzo.

3:22b.GEN.003.022 Zvino Jehovha Mwari akati, Tarirai, munhu ava somumwe wedu zvaanoziva zvakanaka nezvakaipa; zvino zvimwe angatambanudza ruoko rwake akatorawo zvomuti woupenyu, akadya, akararama nokusingaperi.

3:23b.GEN.003.023 Naizvozvo Jehovha Mwari akamubudisa mumunda weEdheni, kuti arime ivhu raakatorwa kwariri.

3:24b.GEN.003.024 Naizvozvo akadzinga munhu, akaisa makerubhi kurutivi rwamabvazuva rwomunda weEdheni, nomurazvo womunondo waimonereka kumativi ose, kurindira nzira yomuti woupenyu.

4

4:1b.GEN.004.001 Zvino Adhamu wakaziva mukadzi wake Evha; iye ndokutora mimba, akapona Kaini, akati, Ndawana munhu, ndichibatsirwa naJehovha.

4:2b.GEN.004.002 Akazoponazve munununa wake Abhero. Abhero wakanga ari mufudzi wamakwai, Kaini wakanga ari murimi wevhu.

4:3b.GEN.004.003 Zvino nguva yakati yapfuura, Kaini akauya nezvibereko zvevhu, chive chipo kuna Jehovha.

4:4b.GEN.004.004 NaAbherowo akauya namakwayana ake ematangwe akakorawo. Jehovha ndokugamuchira Abhero nechipiriso chake;

4:5b.GEN.004.005 asi Kaini nechipiriso chake haana kumugamuchira. Ipapo Kaini akatsamwa kwazvo, chiso chake chikaunyana.

4:6b.GEN.004.006 Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, Watsamwireiko? Chiso chako chakaunyana nei?

4:7b.GEN.004.007 Kana ukaita zvakanaka, haungafari here pachiso chako? Kana usingaiti zvakanaka, zvivi zvinokuhwandira pamusuo; zvichakutsvaka, asi iwe unofanira kuzvikunda.

4:8b.GEN.004.008 Zvino Kaini wakataurirana nomunununa wake Abhero; vakati vari kusango, Kaini ndokumukira Abhero munununa wake, akamuuraya.

4:9b.GEN.004.009 Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, Arikupiko Abhero, munununa wako? Iye akati, Handizivi, ndini mufudzi womunununa wangu here?

4:10b.GEN.004.010 Akati, Waiteiko? Inzwi reropa romunununa wako rinodaidzira kwandiri panyika.

4:11b.GEN.004.011 Zvino watukwa, wadzingwa panyika, iyo yakashamisa muromo wayo kugamuchira ropa romunununa wako paruoko rwako;

4:12b.GEN.004.012 kana uchirima ivhu, haringakupi simba raro; uchava mutizi nomudzungairi panyika.

4:13b.GEN.004.013 Ipapo Kaini akati kuna Jehovha, Kurohwa kwangu kukuru, handingakutakuri.

4:14b.GEN.004.014 Tarirai, mandidzinga nhasi panyika ino, ndichavanda pamberi penyu; ndichava mutizi nomudzungairi panyika; ani naani anondiwana achandiuraya.

4:15b.GEN.004.015 Jehovha akati kwaari, Naizvozvo ani naani anouraya Kaini achatsiviwa kanomwe. Jehovha ndokuisira Kaini chiratidzo, kuti munhu anozomuwana arege kumuuraya.

4:16b.GEN.004.016 Ipapo Kaini wakabva pamberi paJehovha, akandogara panyika yeNodhi, kumabvazuva kweEdheni. Vana vaKaini

4:17b.GEN.004.017 Kaini akaziva mukadzi wake, akatora mimba, akapona Enoki; akavaka guta, akatumidza guta zita romwanakomana wake Enoki.

4:18b.GEN.004.018 Enoki akaberekerwa Iradhi; Iradhi akabereka Mehujaeri; Mehujaeri akabereka Metushaeri; Metushaeri akabereka Rameki;

4:19b.GEN.004.019 Rameki akawana vakadzi vaviri, zita romumwe rainzi Adha, zita romumwe rainzi Zira.

4:20b.GEN.004.020 Adha akapona Jabhari; iye waiva baba vavanhu vanogara mumatende vane zvipfuwo.

4:21b.GEN.004.021 Zita romunununa wake raiva Jubhari; iye waiva baba vavose vanoridza mbira nenyere.

4:22b.GEN.004.022 Zira wakapona Tubharikaini, mupfuri wenhumbi dzose dzendarira nedare; hanzvadzi yaTubharikaini waiva Naama.

4:23b.GEN.004.023 Rameki akati kuvakadzi vake; Adha naZira, inzwai inzwi rangu, imwi vakadzi vaRameki, teererai zvandinotaura; Nokuti ndinouraya munhu unondikuvadza, Nejaya rinondipwanya;

4:24b.GEN.004.024 Kana Kaini achitsiviwa kanomwe; Zvirokwazvo Rameki kana makumi manomwe nenomwe.

4:25b.GEN.004.025 Adhamu akazivazve mukadzi wake, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Seti; nokuti wakati, Mwari wandipa mumwe mwana pachigaro chaAbhero, zvaakaurawa naKaini.

4:26b.GEN.004.026 NaSeti wakaberekerwa mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Enoshi. Nenguva iyo vanhu vakatanga kudana zita raJehovha.

5

5:1b.GEN.005.001 Ndirori bhuku ramarudzi aAdhamu. Musi waakasika munhu, Mwari wakamuita nomufananidzo waMwari;

5:2b.GEN.005.002 wakavasika murume nomukadzi; akavaropafadza, akavatumidza zita rinonzi Munhu, musi wavakasikwa.

5:3b.GEN.005.003 Adhamu wakagara makore ane zana namakumi matatu, akabereka mwanakomana wakafanana naye, wakamutodza; akamutumidza zita rinonzi Seti.

5:4b.GEN.005.004 Mazuva aAdhamu shure kwokuberekwa kwaSeti akanga ari makore ana mazana masere; akabereka vanakomana navanasikana.

5:5b.GEN.005.005 Mazuva ose oupenyu hwaAdhamu akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe namakumi matatu, akafa.

5:6b.GEN.005.006 Seti wakagara makore ane zana namashanu, akabereka Enoshi;

5:7b.GEN.005.007 Seti akagara makore ana mazana masere namanomwe shure kwokuberekwa kwaEnoshi, akabereka vanakomana navanasikana;

5:8b.GEN.005.008 mazuva ose aSeti akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe negumi namaviri, akafa.

5:9b.GEN.005.009 Enoshi wakagara makore makumi mapfumbamwe, akabereka Kenani;

5:10b.GEN.005.010 shure kwokuberekwa kwaKenani Enoshi akagara makore ana mazana masere negumi namashanu; akabereka vanakomana navanasikana;

5:11b.GEN.005.011 mazuva ose aEnoshi akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe namashanu, akafa.

5:12b.GEN.005.012 Kenani wakagara makore makumi manomwe, akabereka Maharareri;

5:13b.GEN.005.013 shure kwokuberekwa kwaMaharareri Kenani wakagara makore ana mazana masere namakumi mana; akabereka vanakomana navanasikana.

5:14b.GEN.005.014 Mazuva ose aKenani akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe negumi, akafa.

5:15b.GEN.005.015 Maharareri wakagara makore makumi matanhatu namashanu, akabereka Jaredhi;

5:16b.GEN.005.016 shure kwokuberekwa kwaJaredhi, Maharareri akagara makore ana mazana masere namakumi matatu, akabereka vanakomana navanasikana;

5:17b.GEN.005.017 mazuva ose aMaharareri akanga ari makore ana mazana masere namakumi mapfumbamwe namashanu, akafa.

5:18b.GEN.005.018 Jaredhi wakagara makore ane zana namakumi matanhatu namaviri, akabereka Enoki;

5:19b.GEN.005.019 shure kwokuberekwa kwaEnoki Jaredhi akagara makore ana mazana masere; akabereka vanakomana navanasikana;

5:20b.GEN.005.020 mazuva ose aJaredhi akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namaviri, akafa.

5:21b.GEN.005.021 Enoki wakagara makore makumi matanhatu namashanu, akabereka Metusera;

5:22b.GEN.005.022 shure kwokuberekwa kwaMetusera, Enoki wakafamba naMwari makore ana mazana matatu; akabereka vanakomana navanasikana.

5:23b.GEN.005.023 Mazuva ose aEnoki akanga ari makore ana mazana matatu namakumi matanhatu namashanu.

5:24b.GEN.005.024 Enoki akafamba naMwari, akasazovapo, nokuti Mwari wakamutora.

5:25b.GEN.005.025 Metusera wakagara makore ane zana namakumi masere namanomwe, akabereka Rameki;

5:26b.GEN.005.026 shure kwokuberekwa kwaRameki, Metusera akagara makore ana mazana manomwe namakumi masere namaviri; akabereka vanakomana navanasikana.

5:27b.GEN.005.027 Mazuva ose aMetusera akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namapfumbamwe, akafa.

5:28b.GEN.005.028 Rameki wakagara makore ane zana namakumi masere namaviri; akabereka mwanakomana;

5:29b.GEN.005.029 akamutumidza zita rinonzi Noa, achiti, Uyu achativaraidza pabasa redu napakutambudzika kwamaoko edu, zvinobva panyika yakatukwa naJehovha.

5:30b.GEN.005.030 Shure kwokuberekwa kwaNoa, Rameki akagara makore ana mazana mashanu namakumi mapfumbamwe namashanu; akabereka vanakomana navanasikana.

5:31b.GEN.005.031 Mazuva ose aRameki akanga ari makore ana mazana manomwe namakumi manomwe namanomwe, akafa.

5:32b.GEN.005.032 Noa wakanga ana makore ana mazana mashanu; Noa akabereka Shemu, naHamu, naJafeti.

6

6:1b.GEN.006.001 Zvino vanhu vakati votanga kuwanda panyika, vachiberekerwa vanasikana,

6:2b.GEN.006.002 vanakomana vaMwari vakaona vakunda vavanhu kuti vakanaka, vakazvisarudzira pakati pavose vavakada kuva vakadzi vavo.

6:3b.GEN.006.003 Ipapo Jehovha akati, Mweya wangu haungarambi uchigara mumunhu nokusingaperi, zvaari wenyamawo hake; naizvozvo mazuva ake achava makore ane zana namakumi maviri.

6:4b.GEN.006.004 Panguva iyo kwakanga kuna vanhu varefu kwazvo panyika, napashurewo, kana vanakomana vaMwari vakapinda kuvanasikana vavanhu, ivo vakavaberekera vana. Ndivo vaiva vanhu vane simba vakare, vakanga vakakurumbira.

6:5b.GEN.006.005 Zvino Jehovha wakaona kuti kuipa kwavanhu kwakanga kuri kukuru panyika, nendangariro dzokufunga kwemoyo yavo dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose.

6:6b.GEN.006.006 Jehovha akazvidemba pamusoro pokuita kwake vanhu panyika, akava neshungu pamoyo pake.

6:7b.GEN.006.007 Jehovha akati, Ndichaparadza vanhu vandakasika ndivabvise panyika vanhu, nemhuka, nezvinokambaira, neshiri dzedenga; nokuti ndinozvidemba kuti ndakazviita.

6:8b.GEN.006.008 Asi Noa wakawana tsitsi pamberi paJehovha.

6:9b.GEN.006.009 Marudzi aNoa ndiwo: Noa wakanga ari munhu wakarurama, asina mhosva mumarudzi ake; Noa wakafamba naMwari.

6:10b.GEN.006.010 Noa akabereka vanakomana vatatu, vaiti: Shemu, naHamu, naJafeti.

6:11b.GEN.006.011 Nyika yakanga yakaora pamberi paMwari, nyika yakanga izere nokumanikidzana.

6:12b.GEN.006.012 Mwari akaona nyika kuti yakaora; nokuti vanhu vose vakanga vaodza mufambiro wavo panyika.

6:13b.GEN.006.013 Ipapo Mwari wakati kuna Noa, Kupera kwavanhu vose kwasvika pamberi pangu; nokuti vakazadza nyika nokumanikidzana; tarira, ndichavauraya pamwechete nenyika.

6:14b.GEN.006.014 Uzviitire areka nomuti wemugoferi; uite makamuri muareka, uinamire nechomukati nechokunze nenamo.

6:15b.GEN.006.015 Unofanira kuiita kudai: Kureba kweareka ngakuve makubhiti ana mazana matatu, nokufara kwayo makubhiti makumi mashanu, nokukwirira kwayo makubhiti makumi matatu.

6:16b.GEN.006.016 Usiye buri paareka; uripedze kana kwasara kubhiti rimwe kubva kumusoro; nomusuo weareka uuise parutivi rwayo; uiite ine dzimba nhatu, mupanda wokutanga, nowechipiri, nowechitatu.

6:17b.GEN.006.017 Tarira, ini ndinouyisa panyika mvura zhinji, kuti iparadze zvipenyu zvose, zvinomweya woupenyu, pasi pedenga; zvose zviri panyika zvichafa.

6:18b.GEN.006.018 Asi ndichaita sungano yangu newe; unofanira kupinda muareka, iwe navanakomana vako, nomukadzi wako, navakadzi vavanakomana vako pamwechete newe.

6:19b.GEN.006.019 Napazvipenyu zvose zvenyama uise muareka zviviri zviviri zvamarudzi ose, kuti zvirarame pamwechete newe; ngazvive mukono nehadzi.

6:20b.GEN.006.020 Shiri namarudzi adzo, nezvipfuwo namarudzi azvo, nezvinokambaira pasi zvose namarudzi azvo, zvichauya kwauri zviviri zviviri zvamarudzi ose, kuti zviraramiswe.

6:21b.GEN.006.021 Iwe utore marudzi ose ezvokudya zvose zvinodyiwa, uzviunganidzire kwauri; kuti zvive zvokudya zvako nezvazvo.

6:22b.GEN.006.022 Noa akaita saizvozvo; sezvaakarairwa naMwari, wakaita zvose saizvozvo.

7

7:1b.GEN.007.001 Zvino Jehovha wakati kuna Noa, Pindai muareka, iwe nemhuri yako yose; nokuti ndakuona iwe kuti wakarurama pamberi pangu parudzi urwu.

7:2b.GEN.007.002 Pamhuka dzose dzakanaka utore nomwe nomwe, mukono nehadzi yayo; napamhuka dzose dzisina kunaka utore mbiri mbiri, mukono nehadzi yayo;

7:3b.GEN.007.003 napashiri dzedenga utore nomwe nomwe, jongwe nemhambo, kuti uraramise marudzi ose ari panyika.

7:4b.GEN.007.004 Nokuti kwasara mazuva manomwe, ipapo ndichanaisa mvura panyika mazuva ana makumi mana nousiku hunamakumi mana; zvipenyu zvose zvandakaita ndichazviparadza panyika.

7:5b.GEN.007.005 Noa akaita zvose sezvaakarairwa naJehovha.

7:6b.GEN.007.006 Noa wakanga ava namakore ana mazana matanhatu panguva yokuuya kwemvura zhinji panyika.

7:7b.GEN.007.007 Ipapo Noa wakapinda muareka, navanakomana vake, nomukadzi wake, navakadzi vavanakomana vake, nokuda kwemvura zhinji.

7:8b.GEN.007.008 Pamhuka dzakanaka, napamhuka dzisina kunaka, neshiri, nezvose zvinokambaira panyika,

7:9b.GEN.007.009 zvakapinda kuna Noa muareka zviviri zviviri, mukono nehadzi, Mwari sezvaakaraira Noa.

7:10b.GEN.007.010 Mazuva manomwe akati apfuura, mvura zhinji ikavapo panyika.

7:11b.GEN.007.011 Pagore ramazana matanhatu roupenyu hwaNoa, nomwedzi wechipiri, nezuva regumi namanomwe romwedzi, nezuva iroro matsime ose apakadzikadzika akadziurwa, namahwindo edenga akazarurwa;

7:12b.GEN.007.012 mvura zhinji ikanaya panyika mazuva ana makumi mana nousiku hunamakumi mana.

7:13b.GEN.007.013 Nomusi iwoyo Noa wakapinda muareka, naShemu, naHamu, naJafeti, vanakomana vaNoa, nomukadzi waNoa, navakadzi vatatu vavanakomana vake pamwechete naye;

7:14b.GEN.007.014 ivo, nemhuka dzose namarudzi adzo, nezvipfuwo zvose namarudzi azvo, nezvinokambaira zvose zvinokambaira panyika namarudzi azvo, nezvinobhururuka zvose namarudzi azvo, neshiri dzose dzamarudzi ose.

7:15b.GEN.007.015 Zvakapinda kuna Noa muareka, zviviri zviviri zvezvipenyu zvose zvinomweya woupenyu.

7:16b.GEN.007.016 Zvose, zvakapinda, zvakapinda zvichiita mukono nehadzi, zvose zvipenyu, sezvaakarairwa naMwari, Jehovha akamuzaririra mukati.

7:17b.GEN.007.017 Mvura zhinji ikavapo panyika mazuva ana makumi mana; mvura ikawanda, ikasimudza areka, ikakwiridzirwa pamusoro penyika.

7:18b.GEN.007.018 Mvura ikakwirira, ikawanda kwazvo panyika, areka ikafamba pamusoro pemvura.

7:19b.GEN.007.019 Mvura ikakwirira kwazvo kwazvo panyika, makomo marefu ose pasi pedenga rose akafukidzwa.

7:20b.GEN.007.020 Mvura ikakwirira kusvikira pamakubhiti ane gumi namashanu pamusoro pawo; makomo akafukidzwa.

7:21b.GEN.007.021 Zvipenyu zvose zvaifamba panyika zvikafa, zvaiti, shiri, nezvipfuwo, nemhuka, nezvinokambaira, zvose zvaikambaira panyika, navanhu vose;

7:22b.GEN.007.022 zvinhu zvose zvakanga zviine kufema kwomweya woupenyu mumhino dzazvo, zvose zvakanga zviri pakaoma pasi, zvikafa.

7:23b.GEN.007.023 Zvipenyu zvose, zvakanga zviri pasi pose, zvikaparadzwa, zvaiti, vanhu, nezvipfuwo, nezvinokambaira, neshiri dzedenga; zvikaparadzwa panyika; Noa oga akasara, nezvakanga zviri muareka naye.

7:24b.GEN.007.024 Mvura ikaramba yakakwirira panyika mazuva ane zana namakumi mashanu.

8

8:1b.GEN.008.001 Zvino Mwari wakarangarira Noa nezvipenyu zvose, nezvipfuwo zvose zvakanga zviri muareka naye; Mwari akafambisa mhepo panyika, mvura ikaserera,

8:2b.GEN.008.002 namatsime apakadzika namahwindo edenga akazarirwa, nemvura yakabva kudenga ikadziviswa,

8:3b.GEN.008.003 mvura ikaramba ichidzoka panyika; mazuva ane zana namakumi mashanu akati apfuura, mvura ikaderera.

8:4b.GEN.008.004 Nomwedzi wechinomwe, nezuva regumi namanomwe romwedzi, areka ikamira pamusoro pamakomo eArarati.

8:5b.GEN.008.005 Mvura ikaramba ichiderera kusvikira pamwedzi wegumi; nomwedzi wegumi, nezuva rokutanga romwedzi misoro yamakomo ikaonekwa.

8:6b.GEN.008.006 Mazuva ana makumi mana akati apfuura, Noa akazarura hwindo reareka raakanga aita;

8:7b.GEN.008.007 akabudisa gunguvo, iro rikaramba richibhururuka-bhururuka kusvikira mvura yapwa panyika.

8:8b.GEN.008.008 Ipapo akabhururutsa njiva paakanga ari, kuti aone kana mvura yaserera panyika;

8:9b.GEN.008.009 asi njiva haina kuwana pokuzorodza rutsoka rwayo, ikadzokera kwaari kuareka, nokuti mvura yakanga iri pamusoro penyika yose; akatambanudza ruoko rwake, akaitora, akaipinza kwaari muareka.

8:10b.GEN.008.010 Ipapo akagara mamwe mazuva manomwezve, akabudisazve njiva paareka;

8:11b.GEN.008.011 njiva ikapinda kwaari madekwana; onei mumuromo mayo makanga muine rushizha rwomuorivhi rwakatanhwa; naizvozvo Noa wakaziva kuti mvura yakanga yaserera panyika.

8:12b.GEN.008.012 Akagarazve mazuva manomwe, akabudisazve njiva; iyo haina kudzokerazve kwaari.

8:13b.GEN.008.013 Pagore ramazana matanhatu nerimwe, pamwedzi wokutanga, nomusi wokutanga womwedzi, mvura yakanga yapwa panyika; ipapo Noa akabvisa denga reareka, akatarira, onei pasi pose paoma.

8:14b.GEN.008.014 Nomwedzi wechipiri, nezuva ramakumi maviri namanomwe romwedzi, nyika yakanga yaoma.

8:15b.GEN.008.015 Zvino Mwari wakataura naNoa akati,

8:16b.GEN.008.016 Budai muareka, iwe, nomukadzi wako, navanakomana vako, navakadzi vavanakomana vako, pamwechete newe.

8:17b.GEN.008.017 Budisawo pamwechete newe zvipenyu zvose zvenyama zvinewe, zvinoti, shiri, nezvipfuwo, nezvinokambaira zvose, nezvinokambaira panyika, kuti zviwande panyika, zvibereke, zvive zvizhinji panyika.

8:18b.GEN.008.018 Ipapo Noa akabuda, iye navanakomana vake, nomukadzi wake, navakadzi vavanakomana vake pamwechete naye;

8:19b.GEN.008.019 nemhuka dzose, nezvinokambaira zvose, neshiri dzose, nezvose zvinofamba panyika, namarudzi azvo, zvakabuda paareka.

8:20b.GEN.008.020 Noa akavakira Jehovha aritari, akatora dzimwe pamhuka dzose dzakanaka neshiri dzose dzakanaka, akapisira zvipiriso zvinopiswa paatari.

8:21b.GEN.008.021 Jehovha akanzwa kunhuwira kwakanaka, Jehovha akati mumoyo make, Handichazotukizve nyika nokuda kwomunhu; nokuti kufunga kwomoyo womunhu kwakaipa kubva pauduku hwake; handichazorovizve zvipenyu zvose, sezvandakaita.

8:22b.GEN.008.022 Nguva yose yenyika kudzvara nokucheka, kutonhora nokudziya, zhizha nechando, masikati nousiku hazvingagumi.

9

9:1b.GEN.009.001 Zvino Mwari akaropafadza Noa navanakomana vake, akati kwavari, Berekai, muwande, muzadze nyika.

9:2b.GEN.009.002 Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzedenga, dzichakutyai nokukuvhundukai; zvose zvinokambaira pasi, nehove dzose dzegungwa, zvinoiswa pamaoko enyu.

9:3b.GEN.009.003 Zvose zvinofamba zvipenyu zvichava zvokudya zvenyu; ndinokupai zvose, sezvandakakupai miriwo mitema.

9:4b.GEN.009.004 Asi nyama, kana inoupenyu hwayo, iro ropa rayo, musaidya iyo.

9:5b.GEN.009.005 Zvirokwazvo ropa renyu, roupenyu hwenyu, ndicharitsiva; ndicharitsiva pazvipenyu zvose, ndichatsiva upenyu hwomunhu paruoko rwomunhu naparuoko rwehama yomunhu.

9:6b.GEN.009.006 Ani naani anoteura ropa romunhu, ropa rake richateurwawo nomunhu; nokuti Mwari akaita munhu nomufananidzo wake.

9:7b.GEN.009.007 As imwi berekai, muwande, berekai zvikuru panyika, muwande mukati mayo.

9:8b.GEN.009.008 Zvino Mwari akataura naNoa navanakomana vake vakanga vanaye, akati,

9:9b.GEN.009.009 Tarirai, ini ndinoita sungano yangu nemi navana venyu vanokuteverai;

9:10b.GEN.009.010 nezvipenyu zvose zvinemi, zvinoti, shiri, nezvipfuwo, nemhuka dzose dzenyika dzinemi; zvose zvinobuda paareka, idzo mhuka dzose dzapanyika.

9:11b.GEN.009.011 Ndichaita sungano yangu nemi; zvose zvenyama hazvingazopedzwizve nemvura zhinji: mvura zhinji haingazovepozve kuti iparadze nyika.

9:12b.GEN.009.012 Ipapo Mwari akati, Ndicho chiratidzo chesungano yandinoita pakati pangu nemi nezvipenyu zvose zvinemi kusvikira kumarudzi asingaperi.

9:13b.GEN.009.013 Ndinoisa muraraungu wangu mugore, kuti chive chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika.

9:14b.GEN.009.014 Zvino ndichati kana ndikauyisa gore pamusoro penyika, muraraungu uyu ukaonekwa mugore,

9:15b.GEN.009.015 ndicharangarira sungano yangu iri pakati pangu nemi, napakati pezvipenyu zvose zvenyama, mvura haichazovi zhinjizve kuti iparadze zvose zvenyama.

9:16b.GEN.009.016 Muraraungu uchavapo mugore; ndichautarira, kuti ndirangarire sungano isingaperi pakati paMwari nezvipenyu zvose zvenyama zviri panyika.

9:17b.GEN.009.017 Mwari akati kuna Noa, Ndicho chiratidzo chesungano yandakaita pakati pangu nezvose zvenyama zviri panyika. Vanakomana vaNoa

9:18b.GEN.009.018 Vanakomana vaNoa vakabuda muareka ndivava: Shemu, naHamu, naJafeti; Hamu ndiye baba vaKenani.

9:19b.GEN.009.019 Ndivava vakanga vari vanakomana vaNoa; nyika yose yakazadzwa navo. Kutadza kwaNoa nokutukwa kwaKenani

9:20b.GEN.009.020 Noa akatanga kuva murimi, akarima munda womuzambiringa;

9:21b.GEN.009.021 akanwa waini, akabatwa, akazvifukura mutende rake.

9:22b.GEN.009.022 Zvino Hamu, baba vaKenani, akaona kusasimira kwababa vake, akazivisa vakuru vake vaviri.

9:23b.GEN.009.023 Ipapo Shemu naJafeti vakatora nguvo, vakaiisa pamafudzi avo, vakaenda manhenda shure, vakafukidzira kusasimira kwababa vavo; zviso zvavo zvakanga zvakatarira shure, vakasaona kusasimira kwababa vavo.

9:24b.GEN.009.024 Zvino Noa akapengenuka pawaini yake, akaziva zvaakaitirwa nomwanakomana wake muduku,

9:25b.GEN.009.025 akati, Kenani ngaatukwe; achava muranda wavaranda kuvakuru vake.

9:26b.GEN.009.026 Akati, Jehovha Mwari waShemu ngaakudzwe, Kenani ngaave muranda wake.

9:27b.GEN.009.027 Mwari ngaakurise Jafeti, ngaagare mumatende aShemu, Kenani ngaave muranda wake.

9:28b.GEN.009.028 Noa akagara shure kwemvura zhinji makore ana mazana matatu namakumi mashanu.

9:29b.GEN.009.029 Mazuva ose Nloa akanga ari mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu, akafa.

10

10:1b.GEN.010.001 Ndiwo marudzi avanakomana vaNoa, naShemu, naHamu, naJafeti; ivo vakaberekerwa vana shure kwemvura zhinji.

10:2b.GEN.010.002 Vanakomana vaJafeti ndivo: Gomeru, naMagogi, naMadhai, naJavhani, naTubhari, naMisheki, naTirasi.

10:3b.GEN.010.003 Vanakomana vaGomeru ndivo: Ashikenazi, naRifati, naTogarima.

10:4b.GEN.010.004 Vanakomana vaJavhani ndivo: Erisha, naTashisi, naKitimi, naDhodhanimu.

10:5b.GEN.010.005 Kwavari kwakabva vanhu vezvivi zvakapararira. Ndivo vanakomana vaJafeti munyika dzavo, mumwe nomumwe norurimi rwake, nemhuri dzavo, nendudzi dzavo.

10:6b.GEN.010.006 Vanakomana vaHamu ndivo: Kushi, naMiziraimu, naPuti, naKenani.

10:7b.GEN.010.007 Vanakomana vaKushi ndivo: Sebha, naHavhira, naSabhata, naRama, naSabhuteka; navanakomana vaRama ndivo: Shebha naDhedhani.

10:8b.GEN.010.008 Kushi akabereka Nimurodhi, ndiye akatanga kuva nesimba panyika.

10:9b.GEN.010.009 Akanga ari mudzimba mukuru pamberi paJehovha; naizvozvo vanoti, SaNimurodhi, mudzimba mukuru pamberi paJehovha.

10:10b.GEN.010.010 Ushe hwake hwakatanga paBhabheri, neEreki, neAkadhi, neKarine, panyika yeShinari.

10:11b.GEN.010.011 Akabuda kunyika iyo, akaenda Asiria, akavaka Ninivhe neRohobhoti-iri, neKara,

10:12b.GEN.010.012 neReseni, pakati peNinivhe neKara (iri iguta guru).

10:13b.GEN.010.013 Miziraimu akabereka vaRudhi, navaAnami, navaRehabhi, navaNafituhimu,

10:14b.GEN.010.014 navaPaturusi navaKasiruhi, (vaFirisitia vakabva kwavari), navaKafutori.

10:15b.GEN.010.015 Kenani akabereka Sidhoni, dangwe rake, naHeti;

10:16b.GEN.010.016 navaJebhusi, navaAmori, navaGirigashi;

10:17b.GEN.010.017 navaHivhi, navaAriki, navaSini,

10:18b.GEN.010.018 navaArivhadhi, navaZemari, navaHamati. Shure kwaivava mhuri dzavaKenani dzakapararira.

10:19b.GEN.010.019 Muganhu wavaKenani wakatanga paSidhoni, ukaenda Gerari, ukasvika Gaza, ukaenda Sodhomu, neGomora, neAdhamu, neZibhoimu, ukasvika paRasha.

10:20b.GEN.010.020 Ndivo vanakomana vaHamu, mhuri dzavo, nendimi dzavo, munyika dzavo, nendudzi dzavo.

10:21b.GEN.010.021 Naiye Shemu, baba vavana vose vaEbheru, mukuru waJafeti, akaberekerwa vana.

10:22b.GEN.010.022 Vanakomana vaShemu ndivo: Eramu, naAsheri, naAripakishadhi, naRudhi, naAramu.

10:23b.GEN.010.023 Vanakomana vaAramu ndivo: Uzi, naHuri, naGeteri, naMashi.

10:24b.GEN.010.024 Aripakishadhi akabereka Shera, Shera akabereka Ebheru.

10:25b.GEN.010.025 Ebheru akaberekerwa vanakomana vaviri, zita romumwe rakanga riri Peregi, nokuti pamazuva ake nyika yakakamurwa; zita romunununa wake rakanga riri Jokitani.

10:26b.GEN.010.026 Jokitani akabereka Arimodhadhi, naSherefi, naHazarimavheti, naJera;

10:27b.GEN.010.027 naHadhoramu, naUsari, naDhikira;

10:28b.GEN.010.028 naObhari, naAbhimaeri, naShebha;

10:29b.GEN.010.029 naOfiri, naHavhira, naJobhabhu; ava vose vaiva vanakomana vaJokitani.

10:30b.GEN.010.030 Kwavakagara ndiko: kubva paMesha, kuenda Sefari, kugomo rokumabvazuva.

10:31b.GEN.010.031 Ndivo vanakomana vaShemu, mhuri dzavo, nendimi dzavo, munyika dzavo, nendudzi dzavo.

10:32b.GEN.010.032 Ndidzo mhuri dzavanakomana vaNoa, nedzimba dzavo, nendudzi dzavo; kwavari kwakabva ndudzi dzose dzakapararira, shure kwemvura zhinji.

11

11:1b.GEN.011.001 Nyika yose yakanga ino rurimi rumwe nokutaura kumwe.

11:2b.GEN.011.002 Zvino vakati vachitamira mabvazuva, vakawana bani munyika yeShinari, vakagarako.

11:3b.GEN.011.003 Vakataurirana, vachiti, Uyai, ngatiite zvidhina, tizvipise kwazvo. Zvidhina zvakava mabwe avo, nebitumini rakava dope ravo.

11:4b.GEN.011.004 Vakati, Uyai, ngatizvivakire guta, norusvingo, runomusoro unosvikira kudenga; tizvimutsire mukurumbira, kuti tirege kupararira panyika yose.

11:5b.GEN.011.005 Ipapo Jehovha wakaburuka kuzotarira guta norusvingo, rwakanga ruchivakwa navanakomana vavanhu.

11:6b.GEN.011.006 Jehovha akati, Tarirai, vanhu ava ndivamwe, vanorurimi rumwe vose; zvino ndizvo zvavanotanga kuita; zvino hakuchina chinhu chavangada kuita chavangadziviswa.

11:7b.GEN.011.007 Hendei, tiburuke, tinopesanisa rurimi rwavo ipapo, kuti varege kunzwana kana votaurirana.

11:8b.GEN.011.008 Jehovha akavaparadzira ipapo, vakapararira panyika yose, vakarega kuvaka guta ravo.

11:9b.GEN.011.009 Naizvozvo vakaritumidza Bhabheri, nokuti ipapo Jehovha wakapesanisa rurimi rwenyika yose; Jehovha akavaparadzira ipapo, vakaenda kunyika dzose. Vanakomana vaShemu

11:10b.GEN.011.010 Ndiwo marudzi aShemu. Shemu wakanga ana makore ane zana, akabereka Aripakishadhi, mvura zhinji yapfuura makore maviri;

11:11b.GEN.011.011 wakati abereka Aripakishadhi, Shemu akagara makore ana mazana mashanu; akabereka vanakomana navanasikana.

11:12b.GEN.011.012 Aripakishadhi wakagara makore ana makumi matatu namashanu, akabereka Shera;

11:13b.GEN.011.013 wakati abereka Shera, Aripakishadhi akagara makore ana mazana mana namatatu, akabereka vanakomana navanasikana.

11:14b.GEN.011.014 Shera wakagara makore ana makumi matatu, akabereka Ebheru.

11:15b.GEN.011.015 Wakati abereka Ebheru, Shera akagara makore ana mazana mana namatatu; akabereka vanakomana navanasikana.

11:16b.GEN.011.016 Ebheru wakagara makore ana makumi matatu namana, akabereka Peregi,

11:17b.GEN.011.017 wakati abereka Peregi, Ebheru akagara makore ana mazana mana namakumi matatu, akabereka vanakomana navanasikana.

11:18b.GEN.011.018 Peregi wakagara makore ana makumi matatu, akabereka Rehu;

11:19b.GEN.011.019 wakati abereka Rehu, Peregi akagara makore ana mazana maviri namapfumbamwe, akabereka vanakomana navanasikana.

11:20b.GEN.011.020 Rehu wakagara makore ana makumi matatu namaviri, akabereka Serugu;

11:21b.GEN.011.021 wakati abereka Serugu, Rehu akagara makore ana mazana maviri namanomwe; akabereka vanakomana navanasikana.

11:22b.GEN.011.022 Serugu wakagara makore ana makumi matatu, akabereka Nahori;

11:23b.GEN.011.023 wakati abereka Nahori, Serugu akagara makore ana mazana maviri, akabereka vanakomana navanasikana.

11:24b.GEN.011.024 Nahori wakagara makore ana makumi maviri namapfumbamwe, akabereka Tera;

11:25b.GEN.011.025 Nahori akagara makore ane zana negumi namapfumbamwe, akabereka vanakomana navanasikana.

11:26b.GEN.011.026 Tera wakagara makore ana makumi manomwe, akabereka Abhuramu naNahori, naHarani.

11:27b.GEN.011.027 Ndiwo marudzi aTera; Tera wakabereka Abhuramu, naNahori, naHarani; Harani akabereka Roti;

11:28b.GEN.011.028 Harani akafa, baba vake Tera vachiri vapenyu, panyika yokuberekwa kwake, paUri yavaKaradhea.

11:29b.GEN.011.029 Abhuramu naNahori vakazviwanira vakadzi; zita romukadzi waAbhuramu rainzi Sarai; zita romukadzi waNahori rainzi Mirika, mukunda waHarani, baba vaMirika, nababa vaIsika.

11:30b.GEN.011.030 Sarai wakanga asingabereki, wakanga asina mwana.

11:31b.GEN.011.031 Zvino Tera wakatora mwanakomana wake Abhuramu, naRoti, mwanakomana waHarani, mwanakomana womwanakomana wake, naSarai, mukadzi womwanakomana wake Abhuramu; vakatama navo vakabva Uri yavaKaradhea, kuti vaende kunyika yeKenani, vakasvika Harani, vakagarapo.

11:32b.GEN.011.032 Mazuva aTera akanga ari makore ana mazana maviri namashanu; Tera akafira Harani.

12

12:1b.GEN.012.001 Zvino Jehovha wakati kunaAbhuramu, Ibva panyika yako, nokuhama dzako, nokuimba yababa vako, uende kunyika yandichakuratidza iyo;

12:2b.GEN.012.002 ndichakuita rudzi rukuru, ndichakuropafadza, ndichakudza zita rako, iwe uropafadze vamwe.

12:3b.GEN.012.003 Ndicharopafadza ivo vanokuropafadza; unokutuka, ndichamutukawo; marudzi ose enyika acharopafadzwa mauri.

12:4b.GEN.012.004 Naizvozvo Abhuramu wakaenda sezvaakaudzwa naJehovha; naRoti wakaenda naye. Abhuramu wakanga ana makore ana makumi manomwe namashanu pakubva kwake Harani.

12:5b.GEN.012.005 Abhuramu akatora Sarai, mukadzi wake, naRoti, mwanakomana womunununa wake, nefuma yavo yose yavakanga vaunganidza, navana vavakanga vabereka paHarani, vakabuda kuenda kunyika yeKenani; vakandosvika kunyika yeKenani.

12:6b.GEN.012.006 Abhuramu akagura nenyika iyo akasvika panzvimbo inonzi Shekemu, pamuti womuouki weMore; nguva iyo vaKenani vakanga vari munyika iyo.

12:7b.GEN.012.007 Zvino Jehovha wakazviratidza kuna Abhuramu, akati, Ndichapa vana vako nyika iyi; akavakira Jehovha aritari ipapo, iye wakanga azviratidza kwaari.

12:8b.GEN.012.008 Akabva ipapo, akaenda kugomo riri kumabvazuva aBheteri, akadzikapo tende rake; Bheteri rakanga riri kumavirazuva neAi kumabvazuva; akavakirapo Jehovha aritari, akanamata Zita raJehovha ipapo.

12:9b.GEN.012.009 Kubva ipapo Abhuramu wakaramba achitamira kumavirazuva. Abhuramu anotamira Ijipiti

12:10b.GEN.012.010 Zvino nzara yakanga iripo panyika iyo; Abhuramu ndokuburukira Ijipiti kundogarako; nokuti nzara yakanga iri huru panyika iyo.

12:11b.GEN.012.011 Zvino wakati oda kupinda Ijipiti, akati kuna Sarai, mukadzi wake, Tarira, ndinoziva kuti uri mukadzi wakanaka pachiso chako;

12:12b.GEN.012.012 kana vaIjipiti vachikuona, vachati, Ndiye mukadzi wake, vachandiuraya, asi iwe vachakurega uri mupenyu.

12:13b.GEN.012.013 Uti hako uri hanzvadzi yangu, kuti ndiitirwe zvakanaka nokuda kwako, kuti mweya wangu urarame nokuda kwako.

12:14b.GEN.012.014 Zvino Abhuramu achisvika Ijipiti, valjipiti vakaona mukadzi kuti wakanaka kwazvo.

12:15b.GEN.012.015 Namachinda aFarao akamuonawo, vakandomurumbidza kuna Farao; mukadzi akatorwa, akaiswa mumba maFarao.

12:16b.GEN.012.016 Akaitira Abhuramu zvakanaka nokuda kwake; waiva namakwai, nemombe, namakono emadhongi, navaranda, navarandakadzi, namadhongi echikadzi, namakamera.

12:17b.GEN.012.017 Asi Jehovha wakatambudza Farao neveimba yake namatambudziko makuru nokuda kwaSarai, mukadzi waAbhuramu.

12:18b.GEN.012.018 Zvino Farao wakadana Abhuramu akati, Chiiko ichi chawakandiitira? Wakaregereiko kundizivisa kuti mukadzi wako.

12:19b.GEN.012.019 Wakarevereiko uchiti, Ihanzvadzi yangu? Naizvozvo ndakamutora kuti ave mukadzi wangu; naizvozvo zvino hoyu mukadzi wako, mutore, uende hako.

12:20b.GEN.012.020 Zvino Farao akaraira vamwe varume pamusoro pake, vakamuperekedza iye nomukadzi wake nezvose zvaakanga anazvo.

13

13:1b.GEN.013.001 Zvino Abhuramu wakakwira, akabva Ijipiti, iye nomukadzi wake, nezvose zvaakanga anazvo, naRotiwo anaye; vakaenda kurutivi rwenyasi.

13:2b.GEN.013.002 Abhuramu wakanga akafuma kwazvo mombe, nesirivha, nendarama.

13:3b.GEN.013.003 Akafamba nzendo dzake achibva nyasi kusvikira paBheteri, kunzvimbo iya kwaiva netende rake pakutanga, pakati peBheteri neAi;

13:4b.GEN.013.004 kunzvimbo yearitari, yaakanga aitapo pakutanga; Abhuramu akanamata zita raJehovha ipapo.

13:5b.GEN.013.005 NaRoti, iye wakaenda naAbhuramu, wakanga aine makwai, nemombe, namatende.

13:6b.GEN.013.006 Nyika ikasavaringana, kuti vagare panzvimbo imwe; nokuti fuma yavo yakanga iri zhinji; vakasagona kugara panzvimbo imwe.

13:7b.GEN.013.007 Vafudzi vezvipfuwo zvaAbhuramu navafudzi vezvipfuwo zvaRoti vakaita nharo; vaKenani navaPerezi vakanga vagere panyika iyo.

13:8b.GEN.013.008 Ipapo Abhuramu akati kuna Roti, Nharo ngadzirege kuvapo pakati pangu newe, napakati pavafudzi vangu navafudzi vako, nokuti tiri hama.

13:9b.GEN.013.009 Ko nyika yose haizi pamberi pako here? Paradzana hako neni; kana iwe ukaenda kuruboshwe, ini ndichaenda kurudyi; kana iwe ukaenda kurudyi ini ndichaenda kuruboshwe.

13:10b.GEN.013.010 Roti akasimudzira meso ake, akaona bani rose reJorodhani, kuti rakanga riine mvura pose, Jehovha achigere kuparadza Sodhomu neGomora; rakanga rakaita somunda waJehovha, senyika yeIjipiti, kana munhu achienda Zoari.

13:11b.GEN.013.011 Roti akazvitsaurira bani rose reJorodhani; Roti akaenda kurutivi rwamabvazuva; vakaparadzana havo.

13:12b.GEN.013.012 Abhuramu akagara panyika yeKenani, Roti akagara pamaguta aiva kubani, akaswededzera tende rake kusvikira paSodhomu.

13:13b.GEN.013.013 Zvino varume veSodhomu vakanga vakaipa, vaitadzira Jehovha kwazvo-kwazvo.

13:14b.GEN.013.014 Zvino Roti wakati aparadzana naye, Jehovha akati kuna Abhuramu, Simudza hako meso ako ipapo paugere, utarire kurutivi rwokumusoro, norwenyasi, norwokumabvazuva, norwokumavirira;

13:15b.GEN.013.015 nokuti nyika yose yaunoona, ndichaipa iwe navana vako nokusingaperi.

13:16b.GEN.013.016 Ndichaita vana vako seguruva renyika; kuti kana kuine munhu anogona kuverenga guruva renyika, navana vako vangaverengwawo.

13:17b.GEN.013.017 Simuka, ufambe nenyika pakureba kwayo, napaupamhi hwayo, nokuti ndichakupa iyo.

13:18b.GEN.013.018 Ipapo Abhuramu wakabvisa tende rake, akandogara pamiti yemiouki yeMamure, iri paHebhuroni, akavakirapo Jehovha aritari.

14

14:1b.GEN.014.001 Zvino nenguva yaAmuraferi, mambo weShinari, naArioki mambo weErasari, naKedhoriraomeri, mambo weEramu, naTidhari, mambo weGoyimi,

14:2b.GEN.014.002 vakarwa naBhera, mambo weSodhomu, naBherisha, mambo weGomora, naShinabhi, mambo weAdhamu, naShemebheri, mambo weZebhoimi, namambo weBhera (rinonziwo Zoari).

14:3b.GEN.014.003 Ava vose vakasangana mumupata weSidhimu (ndiro Gungwa roMunyu).

14:4b.GEN.014.004 Vakanga vava varanda veKedhoriraomeri makore ane gumi namaviri, vakamumukira negore regumi namatatu.

14:5b.GEN.014.005 Ipapo Kedhoriraomeri wakauya negore regumi namana, namadzimambo aakanga anawo, akakunda vaRefaimi paAshitoreti karinaimi, navaZuzimi paHamu, navaEmimi paShave-kiriataimi,

14:6b.GEN.014.006 navaHori pagomo ravo reSeiri, kusvikira paEriparani, pedo nesango.

14:7b.GEN.014.007 Vakadzoka, vakasvika Enimishipati (rinonziwo Kadheshi), vakakunda nyika yose yavaAmareki, navaAmori, vakanga vagere paHazazoni-tamari.

14:8b.GEN.014.008 Zvino mambo weSodhomu, namambo weGomora, namambo weAdhamu, namambo weZebhoimi, namambo weBhera (rinonziwo Zoari), vakabuda vakagadzira hondo kuzorwa navo pamupata weSidhimu;

14:9b.GEN.014.009 kuti varwe naKedhoriraomeri, mambo weEramu, naTidhari, mambo weGoyimi, naAmuraferi, mambo weShinari, naArioki, mambo weErasari; madzimambo mana kuti arwe namadzimambo mashanu.

14:10b.GEN.014.010 Zvino mupata weSidhimu wakanga uzere namakomba ane tara, madzimambo eSodhomu neGomora vakatiza vakawiramo; vakasara vakatizira kugomo.

14:11b.GEN.014.011 Vakatora fuma yose yeSodhomu neGomora, nezvokudya zvavo zvose, vakaenda.

14:12b.GEN.014.012 Vakatorawo Roti, mwanakomana womunununa waAbhuramu wakanga agere paSodhomu, nefuma yake, vakaenda.

14:13b.GEN.014.013 Zvino mumwe wakanga apukunyuka wakasvika, akaudza Abhuramu, muHebheru; iye wakanga agere pamiti yemiouki yaMamure, muAmori, munununa waEshikori, munununa waAneri; ava vakanga vaita sungano naAbhuramu.

14:14b.GEN.014.014 Zvino Abhuramu wakati achinzwa kuti hama yake yatapwa, akaraira varume vake vakanga vadzidziswa kurwa, vakazvarwa paimba yake, vana mazana matatu negumi navasere, akavateverera kusvikira paDhani;

14:15b.GEN.014.015 akakamura varwi vake usiku, iye navaranda vake, akavakunda, akavateverera kusvikira paHobha, riri kurudyi rweDhamasiko.

14:16b.GEN.014.016 Akadzosa fuma yose, akadzosawo Roti, hama yake, nefuma yake, navakadziwo navanhu.

14:17b.GEN.014.017 Ipapo mambo weSodhomu wakabuda kundosangana naye pakudzoka kwake pakuuraya Kedhorir-omeri namadzimambo akanga anavo pamupata weShave (ndiwo mupata wamambo).

14:18b.GEN.014.018 Merikizedheki, mambo weSaremi, akauya nechingwa newaini; iye wakanga ari mupirisiti waMwari woKudenga-denga.

14:19b.GEN.014.019 Akamuropafadza, akati, Abhuramu ngaaropafadzwe naMwari woKudengadenga, muridzi wokudenga napasi.

14:20b.GEN.014.020 Mwari woKudenga-denga ngaakudzwe, wakapa vavengi venyu mumaoko enyu. Akamupa chegumi chezvose.

14:21b.GEN.014.021 Zvino mambo weSodhomu akati kuna Abhuramu, Ndipe vanhu, iwe utore hako fuma.

14:22b.GEN.014.022 Abhuramu akati kuna mambo weSodhomu, Ndakasimudzira ruoko rwangu kuna Jehovha, Mwari woKudengadenga, muridzi wokudenga napasi,

14:23b.GEN.014.023 kuti handingatori rushinda kana rukanda rweshangu, kana chinhu chimwe chezvinhu zvenyu, kuti murege kuzoti, Ndini ndakafumisa Abhuramu,

14:24b.GEN.014.024 ini handidi hangu, asi zvakadyiwa namajaya chete, nomugove wavanhu vakaenda neni, vanaAneri, naEshikori, naMamure, ngavatore migove yavo.

15

15:1b.GEN.015.001 Shure kwaizvozvo shoko raJehovha rakasvika kuna Abhuramu pane zvaakaratidzwa, richiti, Usatya Abhuramu; ini ndiri nhovo yako nomubayiro wako mukuru-kuru.

15:2b.GEN.015.002 Abhuramu akati, Ishe Jehovha, muchandipeiko, zvondofa hangu ndisina mwana; uchava mudyi wenhaka yeimba yangu ndiEriezeri weDhamasiko kanhi?

15:3b.GEN.015.003 Abhuramu akati, Tarirai, hamuna kundipa mwana; zvino uyo wakaponerwa mumba mangu ndiye achava mudyi wenhaka yangu.

15:4b.GEN.015.004 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwaari rikati, Uyu haangavi mudyi wenhaka yako; asi uyo, achabuda paura hwako, ndiye achava mudyi wenhaka yako.

15:5b.GEN.015.005 Akamubudisa panze akati, Zvino tarira kudenga, uverenge nyeredzi, kana uchigona kudziverenga. Akati kwaari, Ndizvo zvichaita vana vako.

15:6b.GEN.015.006 Iye akatenda Jehovha, akamuti ndiko kururama kwake.

15:7b.GEN.015.007 Akati kwaari, Ndini Jehovha wakakubudisa panyika yeUri yavaKaradhea, kuti ndikupe nyika iyi, ive nhaka yako.

15:8b.GEN.015.008 Iye akati, Ishe Jehovha, ndichaziva seiko kuti ichava nhaka yangu?

15:9b.GEN.015.009 Akati kwaari, Nditorere tsiru rina makore matatu, nesheche yembudzi ina makore matatu, nehondohwe rina makore matatu, nenjiva, nemwana wenjiva.

15:10b.GEN.015.010 Akandomutorera izvozvo zvose, akazvipamura napakati, akagadzika rumwe rutivi rwakatarisana norumwe; asi shiri haana kudzipamura.

15:11b.GEN.015.011 Ipapo magora akaburukira kunyama, asi Abhuramu wakaadzinga.

15:12b.GEN.015.012 Zvino zuva rakati rovira, Abhuramu ndokubatwa nehope huru; akawirwa nokutya kwakabva parima guru.

15:13b.GEN.015.013 Akati kuna Abhuramu, Uzive kwazvo kuti vana vako vachava vatorwa munyika isati iri yavo, vachava varanda vavo, vachatambudzwa makore ana mazana mana;

15:14b.GEN.015.014 asi ini ndichatonga rudzi urwo rwavachashumira, pashure vachabudapo nefuma zhinji.

15:15b.GEN.015.015 Asi iwe uchaenda kuna madzibaba ako norugare; uchavigwa wakwegura kwazvo.

15:16b.GEN.015.016 Rudzi rwechina ruchadzokera pano, nokuti kusarurama kwavaAmori kuchigere kuzara.

15:17b.GEN.015.017 Zvino zuva rakati ravira, kwasviba, choto chinopfungaira nezhenje romoto zvakaonekwa zvichipfuura napakati penhindi idzodzo dzenyama.

15:18b.GEN.015.018 Nomusi iwoyo Jehovha akaita sungano naAbhuramu, akati, Vana vako ndavapa nyika iyi, kubva parwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, runonzi Yufuratesi.

15:19b.GEN.015.019 VaKeni, navaKenizi, navaKadhimoni,

15:20b.GEN.015.020 navaHeti, navaPerezi, navaRefaimi,

15:21b.GEN.015.021 navaAmori, navaKenani, navaGirigashi, navaJebhusi.

16

16:1b.GEN.016.001 Zvino Sarai, mukadzi waAbhuramu, wakanga asingamuberekeri vana; iye wakanga aine murandakadzi, muIjipiti, wainzi Hagari.

16:2b.GEN.016.002 Sarai akati kuna Abhuramu, Tarira Jehovha wakandikonesa kubereka, pinda hako kumurandakadzi wangu, zvimwe ndingawana vana naye. Abhuramu akateerera shoko raSarai.

16:3b.GEN.016.003 Zvino Sarai mukadzi waAbhuramu, wakatora Hagari muljipiti, murandakadzi wake; Abhuramu zvino wakanga agara makore ane gumi panyika yeKenani akamupa Abhuramu, murume wake, kuti ave mukadzi wake.

16:4b.GEN.016.004 Akapinda kuna Hagari, iye akatora mimba; zvino wakati aona kuti wava nemimba, akashora vatenzi vake.

16:5b.GEN.016.005 Ipapo Sarai akati kuna Abhuramu, Kukanganiswa kwangu ngakuve pamusoro pako; ndini ndakapa murandakadzi wangu pachipfuva chako, zvino iye wakati aona kuti wava nemimba, akandishora; Jehovha ngaatonge pakati pangu newe.

16:6b.GEN.016.006 Abhuramu akati kuna Sarai, Tarira, murandakadzi wako uri paruoko rwako, umuitire sezvaunoda. Zvino Sarai wakamunetsa, akatiza.

16:7b.GEN.016.007 Mutumwa waJehovha akamuwana patsime remvura musango, patsime riri panzira inoenda Shuri.

16:8b.GEN.016.008 Akati, Nhai Hagari, murandakadzi waSarai, wabvepiko? Unoendepiko? Iye akati, Ndinotiza vatenzi vangu Sarai.

16:9b.GEN.016.009 Mutumwa waJehovha akati kwaari, Dzokera kuna vatenzi vako, uzvidukupise pasi pake.

16:10b.GEN.016.010 Mutumwa waJehovha akati kwaari, Ndichawandisa vana vako, varege kuverengwa nokuwanda kwavo.

16:11b.GEN.016.011 Mutumwa waJehovha akatiwo kwaari, Tarira wava nemimba, uchabereka mwanakomana; umutumidze zita rinonzi Ishimaeri, nokuti Jehovha wakanzwa kutambudzika kwako.

16:12b.GEN.016.012 Iye uchava sembizi pakati pavanhu; ucharwa navanhu vose, navanhu vose vacharwa naye; uchagara akatarisana nehama dzake dzose.

16:13b.GEN.016.013 Hagari akatumidza Jehovha wakataurirana naye, zita rinonzi: Ndimi Mwari anoona; nokuti wakati, Zviro kwazvo ndamuona pano oenda, iye unondiona!

16:14b.GEN.016.014 Naizvozvo tsime iro rakatumidzwa Bheeriahiroi (tsime raiye mupenyu unondiona); riri pakati peKadheshi neBheredhi.

16:15b.GEN.016.015 Hagari akaberekera Abhuramu mwanakomana; Abhuramu akatumidza mwanakomana wake, wakaberekwa naHagari, zita rinonzi Ishimaeri.

16:16b.GEN.016.016 Abhuramu wakanga ana makore makumi masere namatanhatu, Hagari achimuberekera Ishimaeri.

17

17:1b.GEN.017.001 Abhuramu wakati asvika makore ana makumi mapfumbamwe namapfumbamwe, Jehovha akazviratidza kuna Abhuramu, akati kwaari, Ndini Mwari waMasimbaose, famba pamberi pangu, uve wakarurama.

17:2b.GEN.017.002 Ndichaita sungano yangu pakati pangu newe, ndichakuwanza kwazvo.

17:3b.GEN.017.003 Ipapo Abhuramu akawira pasi nechiso chake, Mwari akataura naye, akati,

17:4b.GEN.017.004 Kana ndirini, tarira, sungano yangu inewe, uchava baba vendudzi zhinji-zhinji.

17:5b.GEN.017.005 Zita rako harichazonzi Abhuramu, asi zita rako richanzi Abhurahamu; nokuti ndakakuita baba vendudzi zhinji-zhinji.

17:6b.GEN.017.006 Ndichakuberekesa vana vazhinji-zhinji; ndichakuita ndudzi, namadzimambo achabva kwauri.

17:7b.GEN.017.007 Ndichasimbisa sungano yangu pakati pangu newe, navana vako vanokutevera pamarudzi avo ose, kuti ive sungano isingaperi; ndichava Mwari wako nowavana vako vanokutevera.

17:8b.GEN.017.008 Ndichakupa iwe navana vako vanokutevera, nyika mauri mutorwa iwe, nyika yeKenani yose, kuti ive yako nokusingaperi; ini ndichava Mwari wako.

17:9b.GEN.017.009 Mwari akatiwo kuna Abhurahamu, Kana uriwe, chengeta sungano yangu, iwe navana vako vanokutevera pamarudzi avo ose.

17:10b.GEN.017.010 Ndiyo sungano yangu, yamunofanira kuchengeta pakati pangu nemi navana vako vanokutevera, vanakomana vose pakati penyu ngavadzingiswe.

17:11b.GEN.017.011 Mudzingiswe panyama yechikanda chenyu chapamberi, kuti chive chiratidzo chesungano iri pakati pangu nemi.

17:12b.GEN.017.012 Mwanakomana ane mazuva masere pakati penyu ngaadzingiswe, mukomana mumwe nomumwe pamarudzi enyu, kana akazvarwa mumba, kana akatengwa nemari kuvatorwa vapi navapi, vasati vari vavana vako.

17:13b.GEN.017.013 Wakazvarwa mumba mako, Nowakatengwa nemari, vanofanira kudzingiswa; sungano yangu ive panyama penyu, ive sungano isingaperi.

17:14b.GEN.017.014 Munhurume asina kudzingiswa, asina kudzingiswa panyama yechikanda chake chapamberi, munhu akadai anofanira kubviswa pakati porudzi rwake, akaputsa sungano yangu.

17:15b.GEN.017.015 Mwari akatiwo kuna Abhurahamu, Kana ari Sarai, mukadzi wako haufaniri kuzomutumidza zita rinonzi Sarai, asi zita rake richanzi Sara;

17:16b.GEN.017.016 ndichamuropafadza iye, ndikupe mwanakomana kwaari; ndichamuropafadza iye, kuti ave mai vendudzi; madzimambo avanhu achabva maari.

17:17b.GEN.017.017 Ipapo Abhurahamu wakawira pasi nechiso chake, akaseka, akati mumoyo make, Ko munhu ana makore ane zana ungaberekerwa mwana here? NaSara, wava namakore ana makumi mapfumbamwe, angabereka here?

17:18b.GEN.017.018 Abhurahamu akati kuna Mwari, Dai Ishimaeri achirarama hake pamberi penyu!

17:19b.GEN.017.019 Mwari akati kwaari, Kwete, asi Sara, mukadzi wako, ndiye achakuberekera mwanakomana, unofanira kumutumidza zita rinonzi Isaka; ndichaita sungano yangu naye, ive sungano isingaperi pakati pavana vake vanomutevera.

17:20b.GEN.017.020 Kana ari Ishimaeri, ndakunzwawo; tarira, ndamuropafadza, ndichamuberekesa vana vazhinji, nokumuwanzisa kwazvo; achabereka madzishe ane gumi namaviri, ndichamuita rudzi rukuru.

17:21b.GEN.017.021 Asi sungano yangu ndichaisimbisa naIsaka, uyo wauchaberekerwa naSara nenguva iyi makei.

17:22b.GEN.017.022 Akapedza kutaura naye, Mwari akakwira achibva kuna Abhurahamu.

17:23b.GEN.017.023 Ipapo Abhurahamu wakatora Ishimaeri, mwanakomana wake, navose vakazvarwa mumba make, navose vakatengwa nemari yake, munhurume mumwe nomumwe kuvanhu vakanga vari paimba yaAbhurahamu, akavadzingisa zvikanda zvavo zvapamberi nomusi iwoyo, sezvaakaudzwa naMwari.

17:24b.GEN.017.024 Abhurahamu wakanga ana makore ana makumi mapfumbamwe namapfumbamwe musi wokudzingiswa kwake.

17:25b.GEN.017.025 lshimaeri, mwanakomana wake, wakanga ana makore ane gumi namatatu musi wokudzingiswa kwake.

17:26b.GEN.017.026 Nomusi uyo Abhurahamu wakadzingiswa pamwechete naIshimaeri mwanakomana wake.

17:27b.GEN.017.027 Navarume vose veimba yake, vakanga vazvarirwa mumba make, navakanga vatengwa nemari kuvatorwa, vakadzingiswa pamwechete naye.

18

18:1b.GEN.018.001 Zvino Jehovha wakazviratidza kwaari pamiti yemiouki yeMamure, agere pamusuo wetende masikati zuva richipisa;

18:2b.GEN.018.002 akasimudza meso ake, akatarira, akaona varume vatatu vamire vakatarisana naye; akati achivaona, akabva pamusuo wetende, akamhanya kundosangana navo, akakotamira pasi,

18:3b.GEN.018.003 akati, Ishe wangu, kana ndawana nyasha kwamuri, musapfuura henyu pamuranda wenyu.

18:4b.GEN.018.004 Ngavauye nemvura shomanana, mushambidze tsoka dzenyu, muzorore pasi pomuti;

18:5b.GEN.018.005 ini nditore chimedu chechingwa, musimbise moyo yenyu; mugozopfuura henyu, nokuti ndizvo zvamauyira kumuranda wenyu. Ivo vakati; ita hako sezvawataura

18:6b.GEN.018.006 Abhurahamu akakurumidza kupinda mutende kuna Sara, akati, Kurumidza ugadzire zviyero zvitatu zvoupfu hwakatsetseka, ukanye, ubike zvingwa zviduku.

18:7b.GEN.018.007 Naiye Abhurahamu akamhanyira kumombe, akatora mhuru ine nyama yakapfava, yakanaka, akapa muranda wake, iye akakurumidza kuigadzira.

18:8b.GEN.018.008 Akatora mukaka wakafa, nomukaka, nemhuru yaakanga agadzira, akazviisa pamberi pavo; akamira navo munyasi momuti, vakadya.

18:9b.GEN.018.009 Ivo vakati kwaari, Sara, mukadzi wako, ari kupiko? Iye akati, Tarirai, ari mutende.

18:10b.GEN.018.010 Iye akati, Zvirokwazvo, kana gore rapfuura, ndichauyazve kwamuri, nenguva iyo Sara, mukadzi wako, achava nomwanakomana. Zvino Sara akanga achiteerera ari pamusuo wetende shure kwake.

18:11b.GEN.018.011 Zvino Abhurahamu naSara vakanga vakwegura, vava namakore mazhinji; nomutoo wavakadzi wakanga watoguma kuna Sara.

18:12b.GEN.018.012 Sara akaseka mumoyo make akati, Ini ndingazvifarira here zvandachembera, naiye tenzi wangu akwegurawo?

18:13b.GEN.018.013 Jehovha akati kuna Abhurahamu, Sara wasekereiko, achiti, Ko ini muchembere ndichabereka mwana zvirokwazvo here?

18:14b.GEN.018.014 Kune chinhu chingakunda Jehovha here? Nguva ino, gore rapfuura, ndichadzokera kwauri; Sara achava nomwanakomana.

18:15b.GEN.018.015 Asi Sara akaramba achiti, Handina kuseka, nokuti akanga achitya. Iye akati, Kwete waseka hako.

18:16b.GEN.018.016 Zvino vaya varume vakasimuka, vakabva ipapo, vakatarira Sodhomu; Abhurahamu akaenda navo achivaperekedza.

18:17b.GEN.018.017 Zvino Jehovha akati, Ndichavanzira Abhurahamu zvandinoita here?

18:18b.GEN.018.018 Abhurahamu zvaachava rudzi rukuru rune simba, nendudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa maari?

18:19b.GEN.018.019 Nokuti ndakamutsaura, kuti araire vana vake naveimba yake vanomutevera, kuti vachengete nzira yaJehovha, vaite zvakarurama nezvakanaka; kuti Jehovha auyise pamusoro paAbhurahamu izvo zvaakataura pamusoro pake.

18:20b.GEN.018.020 Ipapo Jehovha akati, Kudanidzira kweSodhomu neGomora kukuru kwazvo; zvirokwazvo zvivi zvavo zvakaipa kwazvo;

18:21b.GEN.018.021 ndichaburuka zvino kuti ndione izvo zvavaita, kana zvakafanana nokudanidzira kwavo kwakasvika kwandiri; kana zvisina kudaro, ndichazviziva.

18:22b.GEN.018.022 Zvino vaya varume vakabva, vakaenda Sodhomu; asi Abhurahamu akaramba amire pamberi paJehovha.

18:23b.GEN.018.023 Zvino Abhurahamu wakaswedera, akati, Muchaparadza vakarurama pamwechete navakaipa here?

18:24b.GEN.018.024 Zvimwe vangavapo vakarurama vana makumi mashanu muguta; muchaparadza nzvimbo iyo, mukasainzwira tsitsi nokuda kwavakarurama vana makumi mashanu varimo here?

18:25b.GEN.018.025 Ngazvive kure nemi kuita kudaro kuuraya vakarurama pamwechete navakaipa, kuti vakarurama vave savakaipa, ngazvive kure nemi. Mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?

18:26b.GEN.018.026 Ipapo Jehovha akati, Kana ndikawana muSodhomu vakarurama vana makumi mashanu mukati meguta, ndichanzwira nzvimbo yose tsitsi nokuda kwavo.

18:27b.GEN.018.027 Abhurahamu akapindura akati, Tarirai zvino, ndatsunga kutaura naJehovha, ini guruva nedota hangu;

18:28b.GEN.018.028 zvimwe kuchashaikwa vashanu kuvakarurama vana makumi mashanu; mungaparadza guta rose kana vashanu vashaikwa here? Akati, Handingariparadzi, kana ndikawanamo makumi mana navashanu.

18:29b.GEN.018.029 Akataurazve naye akati, Zvimwe kuchawanikwamo makumi mana. Akati, Handingazviiti nokuda kwamakumi mana.

18:30b.GEN.018.030 Akati, Jehovha ngaarege hake kunditsamwira, kana ndikataurazve. Zvimwe vana makumi matatu vachawanikwamo. Akati, Handingazviiti, kana ndikawana makumi matatu.

18:31b.GEN.018.031 Akati, Tarirai, ndatsunga kutaura naJehovha, zvimwe vana makumi maviri vachawanikwamo. Akati, Handingariparadzi nokuda kwamakumi maviri.

18:32b.GEN.018.032 Akati, Jehovha ndikataurazve kamwe chete; zvimwe vane gumi rimwe chete vangawanikwamo. Akati, Handingariparadzi nokuda kwaivavo vane gumi.

18:33b.GEN.018.033 Ipapo Jehovha akabva, apedza kutaura naAbhurahamu; naAbhurahamu akadzokera kumba kwake.

19

19:1b.GEN.019.001 Vatumwa vaviri vakasvika Sodhomu madekwana; Roti akanga agere pasuo reSodhomu; Roti akavaona, akasimuka, akaenda kundosangana navo, akakotamira pasi nechiso chake;

19:2b.GEN.019.002 akati, Tarirai, madzishe angu, chidotsaukirai henyu kumba kwomuranda wenyu, muvate usiku hwose, mushambidze tsoka dzenyu, mugofumira parwendo rwenyu. Ivo vakati, Kwete tichavata hedu padare usiku hwose.

19:3b.GEN.019.003 Akavanyengetera zvikuru; vakadzimara votsaukira kwaari, vakapinda mumba make; akavagadzirira chirayiro, akabika chingwa chisina mbiriso, vakadya;

19:4b.GEN.019.004 zvino vasati vavata, varume veguta, ivo varume veSodhomu, vakakomba imba, vaduku navakuru, vanhu vose vokumativi ose;

19:5b.GEN.019.005 vakadanidzira kuna Roti, vakati kwaari, Vari kupiko varume vakapinda kumba kwako usiku huno? Vaburitsirei kwatiri, kuti tivazive.

19:6b.GEN.019.006 Roti akabuda akaenda kwavari kumusuo, akazarira musuo shure kwake.

19:7b.GEN.019.007 Akati, Regai henyu kuita zvakaipa zvakadai, hama dzangu.

19:8b.GEN.019.008 Tarirai, ndine vakunda vaviri vasina kumboziva murume, regai ndivabudisire kwamuri, muvaitire ivo sezvamunoda; asi varume ava, musavaitira chinhu, nokuti ndizvo zvavakapindira mumumvuri wedenga rangu.

19:9b.GEN.019.009 Ivo vakati, Suduruka! Vakati, Munhu uyu wakauya kuzogara pano ari mutorwa, iye zvino anoda kuva mutongi. Zvino tichakuitira zvakaipa iwe kupfuura ivo. Vakamanikidza murume uyo Roti, vakaswedera kuputsa gonhi.

19:10b.GEN.019.010 Asi varume vakatambanudza maoko avo, vakakwevera Roti mumba mavakanga vari, vakapfiga gonhi.

19:11b.GEN.019.011 Vakapofomadza vakanga vari pamusuo, vaduku navakuru; vakazvinetsa vachitsvaka musuo.

19:12b.GEN.019.012 Varume vakati kuna Roti, Une vamwe pano here? Kana mukuwasha, kana vanakomana vako, kana vanasikana vako, navose vaunavo muguta; uvabudise muno.

19:13b.GEN.019.013 Nokuti tava kuda kuparadza nzvimbo ino; nokuti kudanidzira kwavo kwava kukuru kuna Jehovha; Jehovha wakatituma kuiparadza.

19:14b.GEN.019.014 Ipapo Roti akabuda, akandotaura navakuwasha vake, vakanga vachazowana vakunda vake, vakati, Simukai, ibvai muno; nokuti Jehovha achaparadza guta rino. Asi vakuwasha vake vakati, Anoita hake musare.

19:15b.GEN.019.015 Utonga huchitsvuka vatumwa vakakurumidzisa Roti vachiti, Simuka, uende nomukadzi wako, navakunda vako vaviri vari pano, kuti urege kuparadzwa kana guta rorohwa.

19:16b.GEN.019.016 Asi vakanonoka; varume vakabata ruoko rwake, noruoko rwomukadzi wake, namaoko avakunda vake vaviri; nokuti Jehovha wakanga ane tsitsi naye; vakamubudisa, vakamuisa kunze kweguta.

19:17b.GEN.019.017 Zvino vakati vavabudisa kunze, mumwe akati, Tiza nokuda kwoupenyu hwako, usacheuka shure kwako, kana kumira pabani rose, tizira kugomo, kuti urege kuparadzwa.

19:18b.GEN.019.018 Roti akati kwavari, Kwete, ishe wangu, regai kudaro.

19:19b.GEN.019.019 Tarirai, muranda wenyu wakawana nyasha kwamuri, makurisa tsitsi dzenyu dzamakandiitira, zvamandiraramisa; asi handigoni kutizira kugomo, zvimwe zvakaipa zvingandiwira ndikafa.

19:20b.GEN.019.020 Tarirai, guta iri riri pedo, nditizire hangu ikoko; iduku haro, nditenderei kuti nditizire ikoko, (harizi duku here?) Mweya wangu urarame.

19:21b.GEN.019.021 Iye akati kwaari, Tarira, ndakunzwira tsitsi pachinhu ichiwo, kuti handingaparadzi guta iri rawareva.

19:22b.GEN.019.022 Kurumidza, utizireko, nokuti handigoni kuita chinhu usati wasvikapo. Naizvozvo zita reguta rakanzi Zoari.

19:23b.GEN.019.023 Zuva rakanga rabuda panyika, Roti achisvika paZoari.

19:24b.GEN.019.024 Ipapo Jehovha akanaisa pamusoro peSodhomu neGomora sarufa nomoto, zvichibva kudenga kuna Jehovha,

19:25b.GEN.019.025 akaparadza maguta iwayo, nebani rose, navose vakanga vagere mumaguta, nezvose zvakanga zvamera pavhu.

19:26b.GEN.019.026 Asi mukadzi wake wakacheuka ari shure kwake, akaitwa shongwe yomunyu.

19:27b.GEN.019.027 Zvino Abhurahamu wakamuka mangwanani, akaenda ikoko kwaakanga amire pamberi paJehovha;

19:28b.GEN.019.028 akatarira kurutivi rweSodhomu neGomora nokunyika yose yebani, akaona utsi hwenyika iyo huchikwira soutsi hwechoto.

19:29b.GEN.019.029 Zvino Mwari wakati achiparadza maguta ebani, Mwari akarangarira Abhurahamu, akabudisa Roti pakati pokuparadzwa ikoko, nguva yaakaparadza maguta makanga muchigara Roti.

19:30b.GEN.019.030 Zvino Roti wakakwira, achibva muZoari, akandogara mugomo, navakunda vake vaviri pamwechete naye; nokuti wakatya kugara muZoari; akagara, mubako, iye navakunda vake vaviri.

19:31b.GEN.019.031 Zvino dangwe rakati kumuduku, Baba vedu vakwegura; hakuna murume panyika ino angapinda kwatiri nomutoo wenyika yose;

19:32b.GEN.019.032 uya, tinwise baba vedu waini, tivate navo, kuti tichengete rudzi nababa vedu.

19:33b.GEN.019.033 Usiku ihwohwo vakanwisa baba vavo waini, wedangwe akapinda, akandovata nababa vake; ivo havana kuziva kuvata kwake pasi kana kumuka kwake.

19:34b.GEN.019.034 Fume mangwana wedangwe akati kumuduku, Tarira, ndavata nababa vangu usiku hwanezuro; ngativanwise waini usiku hwunowo, iwe ugopinda, undovata navo, kuti tichengete rudzi nababa vedu.

19:35b.GEN.019.035 Vakanwisa baba vavo waini usiku ihwohwowo, muduku akasimuka, akandovata navo; ivo havana kuziva kuvata kwake pasi kana kumuka kwake.

19:36b.GEN.019.036 Naizvozvo vakunda vaRoti vaviri vakava nemimba kuna baba vavo.

19:37b.GEN.019.037 Wedangwe akabereka mwanakomana,akamutumidza zita rinonzi Moabhu, kusvikira zuva ranhasi.

19:38b.GEN.019.038 Nomudukuwo wakabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Bheniami; ndivo baba vavana vaAmoni kusvikira zuva ranhasi.

20

20:1b.GEN.020.001 Zvino Abhurahamu wakabvapo, akaenda kunyika yenyasi, akandogara pakati peKadheshi neShuri; akava mutorwa muGerari.

20:2b.GEN.020.002 Abhurahamu akati pamusoro paSara, mukadzi wake, Ihanzvadzi yangu. Abhimereki, mambo weGerari, akatuma vanhu kundotora Sara.

20:3b.GEN.020.003 Asi Mwari wakauya kuna Abhimereki usiku pakurota, akati kwaari, Tarira, uchafa nokuda kwomukadzi wawatora; nokuti mukadzi uyu ane murume.

20:4b.GEN.020.004 Zvino Abhimereki wakanga asina kuswedera kwaari; akati, Ishe, muchauraya norudzi rwakaruramawo here?

20:5b.GEN.020.005 Ko iye haana kundiudza here, achiti, ihanzvadzi yangu; naiye mukadzi haana kuti, ihanzvadzi yangu, here? Ndakaita izvozvo nomoyo wakarurama, namaoko akachena.

20:6b.GEN.020.006 Mwari akati kwaari pakurota, Hongu, ndinoziva kuti wakaita chinhu ichi nomoyo wakarurama, ndikakudzivisawo kuti urege kunditadzira; naizvozvo handina kukutendera kumubata.

20:7b.GEN.020.007 Saka zvino dzosa mukadzi womurume uyu, nokuti muporofita; iye achakunyengeterera, kuti urarame; kana ukasamudzosa, uzive kuti uchafa zvirokwazvo, iwe navose vari vako.

20:8b.GEN.020.008 Abhimereki akamuka mangwanani, akadana varanda vake vose, akavaudza izvozvo zvose munzeve dzavo; varume vakavhunduka kwazvo.

20:9b.GEN.020.009 Ipapo Abhimereki akadana Abhurahamu akati kwaari, Chiiko chinhu ichi chawatiitira? Ini ndakutadzireiko, zvawauyisa mhosva huru pamusoro pangu napamusoro poushe hwangu?

20:10b.GEN.020.010 Abhimereki akati kuna Abhurahamu, Wanga uchiti kudiniko, zvawaita chinhu ichi?

20:11b.GEN.020.011 Abhurahamu akati, Nokuti ndakati, Zvirokwazvo havatyi Mwari panzvimbo ino; zvimwe vachandiuraya pamusoro pomukadzi wangu.

20:12b.GEN.020.012 Uye, zvirokwazvo ihanzvadzi yangu, mukunda wababa vangu, asi haazi mwana wamai vangu; akazowanikwa neni.

20:13b.GEN.020.013 Zvino Mwari wakati achindibudisa paimba yababa vangu, kuti ndidzungaire, ndikati kwaari, Hechi chinhu chakanaka chaunofanira kundiitira. Pose patinosvika, uti pamusoro pangu, ihanzvadzi yangu.

20:14b.GEN.020.014 Abhimereki akatora makwai, nemombe, navaranda, navarandakadzi, akapa Abhurahamu izvozvo, akamudzoserawo Sara, mukadzi wake.

20:15b.GEN.020.015 Abhimereki akati, Tarira, nyika yangu iri pamberi pako; gara hako paunoda.

20:16b.GEN.020.016 Akati kuna Sara, Tarira, ndapa hanzvadzi yako mashekeri esirivha ane chiuru chezana; chichava chifukidziro chameso ako kuna vose vaunavo; waruramiswa pamberi pavose.

20:17b.GEN.020.017 Abhurahamu akanyengetera kuna Mwari, Mwari akaporesa Abhimereki, nomukadzi wake, navarandakadzi vake, vakabereka vana.

20:18b.GEN.020.018 Nokuti Jehovha wakanga azarira zvizvaro zvose zveveimba yaAbhimereki nokuda kwaSara, mukadzi waAbhurahamu.

21

21:1b.GEN.021.001 Zvino Jehovha wakashanyira Sara, sezvaakataura; Jehovha akaitira Sara sezvaakavaudza.

21:2b.GEN.021.002 Sara akava nemimba, akaberekera Abhurahamu mwanakomana pakukwegura kwake nenguva iyeyo yakanga yarehwa naMwari.

21:3b.GEN.021.003 Abhurahamu akatumidza mwanakomana wake, waakaberekerwa naSara, zita rinonzi Isaka.

21:4b.GEN.021.004 Abhurahamu akadzingisa mwanakomana wake Isaka aita mazuva masere, sezvaakarairwa naMwari.

21:5b.GEN.021.005 Abhurahamu wakanga asvika makore ane zana, nguva yaakaberekerwa mwanakomana wake Isaka.

21:6b.GEN.021.006 Ipapo Sara akati, Mwari wandisekesa; vose, vanonzwa izvozvi, vachaseka neni.

21:7b.GEN.021.007 Akati, Ndianiko waitongoti kuna Abhurahamu, Sara achayamwisa vana? Nokuti ndakamuberekera mwanakomana pakukwegura kwake.

21:8b.GEN.021.008 Mwanakomana wakazokura, akarumurwa; Abhurahamu akaita mutambo mukuru nomusi wokurumurwa kwalsaka.

21:9b.GEN.021.009 Zvino Sara akaona mwanakomana waHagari, muljipiti, waakaberekera Abhurahamu, achiseka.

21:10b.GEN.021.010 Saka wakati kuna Abhurahamu, Dzinga mubatiri uyu nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womubatiri uyu haangadyi nhaka pamwechete nomwanakomana wangu Isaka.

21:11b.GEN.021.011 Shoko iro rakanga rakaipa kwazvo kuna Abhurahamu, nokuda kwomwanakomana wake.

21:12b.GEN.021.012 Ipapo Mwari akati kuna Abhurahamu, Ngazvirege hazvo kuva zvakaipa kwauri nokuda kwomukomana nokwo mubatiri wako; uteerere Sara pazvinhu zvose zvaanotaura kwauri, nokuti rudzi rwako ruchatumidzwa nezita ralsaka.

21:13b.GEN.021.013 Naiye mwanakomana womubatiri ndichamuita rudzi rukuruwo, nokuti mwanakomana wako.

21:14b.GEN.021.014 Abhurahamu akamuka mangwanani, akatora chingwa neguchu remvura, akapa Hagari, akazviisa pafudzi rake, nomwanawo, akamuendesa; iye akaenda akandodzungaira murenje reBheerishebha.

21:15b.GEN.021.015 Mvura yeguchu yakati yapera, akakanda mwana pasi munyasi megwenzi;

21:16b.GEN.021.016 iye akandogara pasi pakatarisana naye nhambwe inenge ingasvika museve kana wapotserwa, nokuti wakati, Ndirege kuona hangu mwana achifa. Akagara pakatarisana naye, akachema kwazvo.

21:17b.GEN.021.017 Mwari akanzwa inzwi romukomana; mutumwa waMwari akadanidzira kuna Hagari, ari kudenga, akati kwaari, Zvaita seiko Hagari? Usatya, nokuti Mwari wanzwa inzwi romukomana apo paari.

21:18b.GEN.021.018 Simuka usimudze mukomana, umubate noruoko rwako, nokuti ndichamuita rudzi rukuru.

21:19b.GEN.021.019 Ipapo Mwari akasvinudza meso ake, akaona tsime remvura; akaenda, akazadza guchu nemvura, akanwisa mukomana.

21:20b.GEN.021.020 Mwari akava nomukomana, akakura, akagara murenje, akava munhu anopfura nouta.

21:21b.GEN.021.021 Akagara murenje reParani, mai vake vakamutorera mukadzi kunyika yeIjipiti. Sungano pakati paAbhurahamu naAbhimereki

21:22b.GEN.021.022 Zvino nenguva iyo Abhimereki naPikori, mukuru wehondo yake, vakataura naAbhurahamu, vakati, Mwari anewe pazvinhu zvose zvaunoita;

21:23b.GEN.021.023 naizvozvo zvino ndipikire pano naMwari kuti haungandinyengeri ini, kana vana vangu, kana vana vavana vangu; asi sezvandakakuitira tsitsi, uitewo saizvozvo kwandiri, nokunyika mawakagara uri mutorwa.

21:24b.GEN.021.024 Abhurahamu akati, Ndichapika.

21:25b.GEN.021.025 Asi Abhurahamu akatuka Abhimereki nokuda kwetsime remvura rakanga ratorwa nesimba navaranda vaAbhimereki.

21:26b.GEN.021.026 Abhimereki akati, Handizivi akaita izvozvo, newe hauna kundiudza, ini handina kumbozvinzwa, asi nhasi.

21:27b.GEN.021.027 Abhurahamu akatora makwai nenzombe, akapa Abhimereki, ivo vaviri vakaita sungano.

21:28b.GEN.021.028 Abhurahamu akaraura zvisheche zvinomwe zvamakwai;

21:29b.GEN.021.029 Abhimereki akati kuna Abhurahamu, Ko zvisheche izvi zvinomwe zvawaraura ndezveiko?

21:30b.GEN.021.030 Iye akati, Zvisheche izvi zvinomwe uzvigamuchire paruoko rwangu, chive chapupu changu, kuti ndini ndakachera tsime iri.

21:31b.GEN.021.031 Naizvozvo akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Bheerishebha, nokuti ndipo pavakapika ivo vaviri.

21:32b.GEN.021.032 Saizvozvo vakaita sungano paBheerishebha; Abhimereki akasimuka, naPikori, mukuru wehondo yake, vakadzokera kunyika yavaFirisitia.

21:33b.GEN.021.033 Abhurahamu akasima muti womutamarisiki paBheerishebha, akanamatapo zita raJehovha Mwari wokusingaperi.

21:34b.GEN.021.034 Abhurahamu akagara ari mutorwa panyika yavaFirisitia mazuva mazhinji.

22

22:1b.GEN.022.001 Shure kwaizvozvo Mwari wakaedza Abhurahamu, akati kwaari, Abhurahamu! Iye akati, Ndiri pano hangu.

22:2b.GEN.022.002 Akati, Zvino tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe chete, waunoda, Isaka, uende kunyika yeMoria umuite chibayiro chinopiswa pane rimwe gomo randichakuudza.

22:3b.GEN.022.003 Abhurahamu akamuka mangwanani, akasunga mbongoro yake, akatora majaya ake maviri naIsaka, mwanakomana wake, akatsemura huni dzechibayiro chinopiswa, ndokusimuka, akaenda kunzvimbo yaakaudzwa naMwari.

22:4b.GEN.022.004 Zvino nomusi wetatu Abhurahamu akasimudza meso ake, akaona nzvimbo iyo ari kure.

22:5b.GEN.022.005 Abhurahamu akati kumajaya ake, imwi chigarai henyu pano nembongoro, ini nomwana tichaenda ikoko; tichambondonamata, tigodzokera kwamuri.

22:6b.GEN.022.006 Abhurahamu akatora huni dzechibayiro chinopiswa, akadzitakudza Isaka, mwanakomana wake; akatora moto nebanga muruoko rwake, vakaenda vari vaviri.

22:7b.GEN.022.007 Isaka akataura naAbhurahamu, baba vake, akati, Baba vangu! Iye akati, Ndiri pano hangu, mwana wangu. Akati: Hoyu moto nehuni, asi hwayana rechibayiro chinopiswa riripiko?

22:8b.GEN.022.008 Abhurahamu akati, Mwari uchatipa gwayana rechibayiro chinopiswa, mwana wangu; saizvozvo vakafamba vari vaviri.

22:9b.GEN.022.009 Vakandosvika panzvimbo yaakaudzwa naMwari; Abhurahamu akavakapo aritari, akagadzira huni, ndokusunga mwanakomana wake, akamuisa paaritari pamusoro pehuni.

22:10b.GEN.022.010 Zvino Abhurahamu akatambanudza ruoko rwake, akatora banga, kuti abaye mwanakomana wake.

22:11b.GEN.022.011 Ipapo mutumwa waJehovha wakadanidzira kwaari, ari kudenga akati, Abhurahamu! Abhurahamu! Iye akati, Ndiri pano hangu.

22:12b.GEN.022.012 Akati, Usaisa ruoko rwako kumwana, usamuitira chinhu, nokuti zvino ndinoziva kuti unotya Mwari, zvausina kundinyima mwanakomana wako, iye mwanakomana wako mumwe chete.

22:13b.GEN.022.013 Abhurahamu akasimudza meso ake, akatarira, ndokuona shure kwake hondohwe yakanga yakabatwa nyanga dzayo mugwenzi. Abhurahamu akatora hondohwe iya, akaipisa chikava chibayiro panzvimbo yomwanakomana wake.

22:14b.GEN.022.014 Abhurahamu akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Jehovha jire; saka nanhasi vanositi, Pagomo raJehovha ndipo paachaonekwa.

22:15b.GEN.022.015 Ipapo mutumwa waJehovha wakadana Abhurahamu rwechipiri, ari kudenga,

22:16b.GEN.022.016 akati, Zvanzi naJehovha, Ndakapika neni ndimene, ndichiti, Zvawaita izvozvo, ukasandinyima mwanakomana wako mumwe chete;

22:17b.GEN.022.017 ndichakuropafadza kwazvo, ndichawanza vana vako kwazvo senyeredzi dzokudenga, uye sejecha riri pamahombekombe egungwa; vana vako vachava varidzi vamasuo avavengi vavo;

22:18b.GEN.022.018 ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako, zvawakateerera inzwi rangu.

22:19b.GEN.022.019 Ipapo Abhurahamu wakadzokera kumajaya ake, vakasimuka vakaenda vose Bheerishebha; Abhurahamu akagara paBheerishebha.

22:20b.GEN.022.020 Zvino shure kwaizvozvo Abhurahamu wakaudzwa, zvichinzi, Tarira, Mirika wakaberekerawo munununa wako Nahori vanakomana ava:

22:21b.GEN.022.021 Uzi, dangwe rake, naBuzi, munununa wake, naKemueri, baba vaAramu,

22:22b.GEN.022.022 naKesedhi, naHazo, naPiradhashi, naJidhirafi, naBhetueri.

22:23b.GEN.022.023 Bhetueri akabereka Rabheka, ava vasere ndivo vakaberekerwa Nahori, munununa waAbhurahamu, naMirika.

22:24b.GEN.022.024 Nomurongo wake wainzi Ruma, wakaberekawo Tebha, naGahami, naTahashi, naMaaka.

23

23:1b.GEN.023.001 Zvino Sara wakagara makore ane zana namakumi maviri namanomwe; ndiwo makore oupenyu hwaSara.

23:2b.GEN.023.002 Sara akafa paKiriyatiabha (rimwe zita ndiHebhuroni) panyika yeKenani; Abhurahamu akauya kuzochema Sara nokumuririra.

23:3b.GEN.023.003 Zvino Abhurahamu akasimuka panowakafa wake, akataurirana navana vaHeti, akati,

23:4b.GEN.023.004 Ndiri mweni nomutorwa pakati penyu, ndipei nzvimbo yokuviga pakati penyu, ive nzvimbo yangu, kuti ndivige wakafa wangu, ndirege kumuona.

23:5b.GEN.023.005 Vana vaHeti vakapindura Abhurahamu, vakati kwaari,

23:6b.GEN.023.006 Chitinzwai, ishe wedu, imwi muri muchinda waMwari pakati pedu; vigai wakafa wenyu pahwiro hwakanaka pakati pamahwiro edu ose; hakuna munhu pakati pedu angakunyimai hwiro hwake, kuti muvige wakafa wenyu.

23:7b.GEN.023.007 Ipapo Abhurahamu wakasimuka akakotamira pasi pamberi pavanhu venyika iyo, ivo vana vaHeti,

23:8b.GEN.023.008 akataurirana navo, akati, Kana muchitenda kuti ndivige wakafa wangu, ndirege kumuona, chindinzwai, mundikumbirire kuna Efuroni, mwanakomana waZohari,

23:9b.GEN.023.009 kuti andipe bako reMakapera, raanaro, riri pamagumo emunda wake, andipe iroro, ndiripe mutengo wose, ive nzvimbo yangu yokuviga pakati penyu.

23:10b.GEN.023.010 Efuroni zvino wakanga agere pakati pavana vaHeti; Efuroni, muHeti, akapindura Abhurahamu, vana vaHeti, vachizvinzwa, ivo vose vaipinda pasuo reguta rake, akati,

23:11b.GEN.023.011 Kwete, ishe wangu, chindinzwai; teererai, ndinokupai munda, nairo bako ririmo, ndinokupai iro; ndinokupai izvozvo pamberi pavana vavanhu vangu; vigai henyu wakafa wenyu.

23:12b.GEN.023.012 Abhurahamu akakotama pamberi pavanhu venyika iyo,

23:13b.GEN.023.013 akataura naEfuroni, vanhu venyika iyo vachizvinzwa, achiti, Kana uchida, chinditeerera hako, ndichakupa mutengo womunda, uugamuchire kwandiri, kuti ndivige wakafa wangupo.

23:14b.GEN.023.014 Efuroni akapindura Abhurahamu, akati kwaari,

23:15b.GEN.023.015 Ishe wangu, chinditeererai; munda unotengwa namashekeri esirivha ana mazana mana, chingava chinyiko pakati pangu newe? Vigai henyu wakafa wenyu.

23:16b.GEN.023.016 Abhurahamu akateerera Efuroni. Abhurahamu akayerera Efuroni mashekeri esirivha aakareva, vana vaHeti vachizvinzwa, mashekeri esirivha ana mazana mana, avanotenga nawo kuvatengesi.

23:17b.GEN.023.017 Naizvo munda waEfuroni, wakanga uri paMakapera pakatarisana neMamure, munda nebako rakanga ririmo, nemiti yose yakanga iri mumunda neyakanga iri panyika yose yakapoteredza,

23:18b.GEN.023.018 zvikava zvaAbhurahamu pamberi pavana vaHeti, pamberi pavose vaipinda pasuo reguta rake.

23:19b.GEN.023.019 Shure kwaizvozvo Abhurahamu akaviga Sara, mukadzi wake, mubako romunda weMakapera, pakatarisana neMamure (rimwe zita ndiHebhuroni), panyika yeKenani.

23:20b.GEN.023.020 Zvino munda nebako rakanga ririmo zvakasimbisiwa kuna Abhurahamu navana vaHeti, kuti zvive zvake, ikava nzvimbo yake yokuviga.

24

24:1b.GEN.024.001 Abhurahamu zvino wakanga akwegura, ava mutana kwazvo; Jehovha wakanga aropafadza Abhurahamu pazvinhu zvose.

24:2b.GEN.024.002 Abhurahamu akataura nomuranda wake, waiva mukuru weimba yake, waichengeta zvose zvaakanga anazvo, achiti, Chimboisa chanza chako pasi pechidya changu,

24:3b.GEN.024.003 ndikupikise naJehovha, Mwari wokudenga, naMwari wenyika, kuti haungatoreri mwanakomana wangu mukadzi kuvanasikana veKenani, vandinogara pakati pavo;

24:4b.GEN.024.004 asi uende kunyika yangu, nokuhama dzangu, undotorera ikoko mwanakomana wangu Isaka mukadzi.

24:5b.GEN.024.005 Muranda akati kwaari, Zvimwe mukadzi haangatendi kunditevera kunyika ino, zvino ndingafanira kudzosera mwanakomana wenyu kunyika kwamakabva here?

24:6b.GEN.024.006 Abhurahamu akati kwaari, Chenjera kuti urege kudzosera mwanakomana wangu ikoko.

24:7b.GEN.024.007 Jehovha, Mwari wokudenga, wakandibvisa paimba yababa vangu nomunyika yokuzvarwa kwangu, wakataura neni, akandipikira, achiti, Nyika ino ndichapa vana vako, ndiye achatuma mutumwa wake pamberi pako, kuti utorere mwanakomana wangu mukadzi ikoko.

24:8b.GEN.024.008 Kana mukadzi asingatendi kukutevera, iwe uchasunungurwa pakupika kwako uku kwandiri; asi usadzosera mwanakomana wangu ikoko.

24:9b.GEN.024.009 Ipapo muranda akaisa chanza chake pasi pechidya chatenzi wake, akamupikira pamusoro pechinhu ichocho.

24:10b.GEN.024.010 Muranda akatora makamera ane gumi pamakamera atenzi wake, akaenda, aine nhumbi dzose dzakanaka dzatenzi wake; akasimuka, akaenda Mesopotamia kuguta raNahori.

24:11b.GEN.024.011 Akapfugamisa makamera kunze kweguta patsime remvura nenguva yamadekwana, iri nguva yaibuda vakadzi kundochera mvura;

24:12b.GEN.024.012 akati, Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, ndifambisei henyu zvakanaka nhasi; muitire tenzi wangu Abhurahamu ngoni.

24:13b.GEN.024.013 Tarirai ndimire patsime remvura, vakunda vavanhu veguta vobuda kuzochera mvura.

24:14b.GEN.024.014 Zvino ngakuitwe kuti musikana wandichati kwaari, Nditurirewo chirongo chako, ndinwe; kana akati, Inwai henyu, namakamera enyu ndichaanwisawo; ngaave iye wamakatsaurira muranda wenyu Isaka; naizvozvo ndichaziva kuti makaitira tenzi wangu ngoni.

24:15b.GEN.024.015 Zvino wakanga asati apedza kutaura, Rabheka, wakaberekerwa Bhetueri, mwanakomana waMirika, mukadzi waNahori, munununa waAbhurahamu, wakasvika ane chirongo pafudzi rake.

24:16b.GEN.024.016 Zvino musikana uyu wakanga akanaka kwazvo pameso ake, mhandara isina kumboziviwa nomurume; akaburukira kutsime, akazadza chirongo chake, akakwirazve.

24:17b.GEN.024.017 Ipapo muranda wakamhanyira kundosangana naye, akati, Dondipawo mvura pachirongo chako, ndinwe.

24:18b.GEN.024.018 Iye akati, Inwai henyu, ishe wangu; akakurumidza kutura chirongo chake paruoko rwake, akamunwisa.

24:19b.GEN.024.019 Wakati apedza kumunwisa, akati, Ndichacherera makamera enyuwo kusvikira aguta.

24:20b.GEN.024.020 Akakurumidza, akadurura mvura yakanga iri muchirongo chake muchinwiro; akamhanyira kutsime kundocherazve, akacherera makamera ake ose.

24:21b.GEN.024.021 Murume akamutarisisa, anyerere, kuti azive kana Jehovha amufambisa zvakanaka parwendo rwake, kana kwete.

24:22b.GEN.024.022 Makamera akati apedza kunwa murume akatora chindori chendarama chakaita hafu yeshekeri rimwe rendarama pakurema kwacho, nezvishongo zviviri zvamaoko zvakaita mashekeri ane gumi pakurema kwazvo;

24:23b.GEN.024.023 akati, Uri mukunda waaniko? Ndiudze hako. Kumba kwababa vako kune pokuvata here?

24:24b.GEN.024.024 Iye akati, Ndiri mukunda waBhetueri, mwanakomana waMirika, waakaberekera Nahori.

24:25b.GEN.024.025 Akati kwaariwo, Tinahwo uswa hwakaoma nezvokudya zvizhinji, nopokuvatawo.

24:26b.GEN.024.026 Murume akakotamisa musoro wake, akanamata Jehovha.

24:27b.GEN.024.027 Akati, Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu ngaakudzwe, asina kurega nyasha dzake nokutendeka kwake kuna tenzi wangu; kana ndirini, Jehovha wakandifambisa, akandisvitsa kuimba yehama dzatenzi wangu.

24:28b.GEN.024.028 Ipapo musikana wakamhanya, akandoudza veimba yamai vake mashoko iwaya.

24:29b.GEN.024.029 Zvino Rabheka wakanga ane hanzvadzi yainzi Rabhani; Rabhani akabuda, akamhanyira kumurume kutsime.

24:30b.GEN.024.030 Nokuti wakati achiona chindori nezvishongo pamaoko ehanzvadzi yake, achiti, Ndizvo zvakataura murume kwandiri, akaenda kumurume akamuwana amire pamakamera patsime.

24:31b.GEN.024.031 Akati, Pinda, iwe, wakaropafadzwa naJehovha; unomirireiko kunze? Nokuti ndagadzira imba nenzvimbo yamakamera.

24:32b.GEN.024.032 Murume akapinda mumba; akasunungura makamera akapa makamera uswa hwakaoma nezvokudya; nemvura kuti ashambidze tsoka dzake netsoka dzavarume vaakanga anavo.

24:33b.GEN.024.033 Ipapo zvokudya zvakaiswa pamberi pake kuti adye; asi iye akati, Handingadyi ndisati ndambotaura mashoko angu. Akati, Taura hako.

24:34b.GEN.024.034 Iye akati, Ndiri muranda waAbhurahamu.

24:35b.GEN.024.035 Jehovha wakaropafadza tenzi wangu kwazvo; wava mukuru; wakamupa makwai, nemombe, nesirivha, nendarama, navaranda, navarandakadzi, namakamera, nembongoro.

24:36b.GEN.024.036 NaSara, mukadzi watenzi wangu, wakaberekera tenzi wangu mwanakomana pakukwegura kwake; ndiye waakapa zvose zvaanazvo.

24:37b.GEN.024.037 Tenzi wangu akandipikisa, akati, Usatorera mwanakomana wangu mukadzi kuvanasikana veKenani, pandigere munyika yavo;

24:38b.GEN.024.038 asi uende kune veimba yababa vangu nokuhama dzangu unotorera mwanakomana wangu mukadzi ikoko.

24:39b.GEN.024.039 Ndikati kuna tenzi wangu, Zvimwe mukadzi haangatendi kunditevera.

24:40b.GEN.024.040 Iye akati, Jehovha wandinosifamba pamberi pake, achatuma mutumwa wake newe, akufambise zvakanaka parwendo rwako; unotorera mwanakomana wangu mukadzi kuhama dzangu nokune veimba yababa vangu;

24:41b.GEN.024.041 uchasunungurwa pakupika kwako kwandiri kana wasvika kuhama dzangu; kana vakaramba kukupa iye, uchasunungurwa pakupika kwako kwandiri.

24:42b.GEN.024.042 Zvino ndakasvika nhasi kutsime, ndikati, Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, kana muchida kundifambisa zvakanaka parwendo rwangu rwandinofamba,

24:43b.GEN.024.043 tarirai, ndimire patsime remvura; zvino ngazviitwe, kuti musikana anobuda kuzochera mvura, wandichati kwaari, Dondipawo zvimvura pachirongo chako, ndinwe,

24:44b.GEN.024.044 iye akati kwandiri, Inwai henyu, imwi, uye ndichacherera makamera enyuwo, iye ave mukadzi wakatsaurirwa mwanakomana watenzi wangu naJehovha.

24:45b.GEN.024.045 Zvino ndisati ndapedza kutaura mumoyo mangu, ndikaona Rabheka achiuya aine chirongo chake pafudzi rake; akaburukira kutsime, akachera; ndikati kwaari, Dondipawo, ndinwe.

24:46b.GEN.024.046 Iye akakurumidza, akatura chirongo chake pafudzi rake, akati, Inwai henyu, uye ndichanwisa makamera enyuwo; ini ndikanwa, akanwisa makamerawo.

24:47b.GEN.024.047 Zvino ndakamubvunza, ndikati, Uri mukunda waaniko? Iye akati, Ndiri mukunda waBhetueri, mwanakomana waNahori, waakaberekerwa naMirika; ipapo ndakaisa chindori mumhino dzake, nezvishongo pamaoko ake.

24:48b.GEN.024.048 Ndikakotamisa musoro wangu, ndikanamata Jehovha, ndikatenda Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, iye wakandifambisa panzira yakarurama, kuti nditorere mwanakomana watenzi wangu mukunda womunununa watenzi wangu, kuti ave mukadzi wake.

24:49b.GEN.024.049 Zvino kana muchida kuitira tenzi wangu moyochena nokutendeka, mundiudze; kana musingadi, mundiudze, kuti ndiende kurudyi kana kuruboshwe.

24:50b.GEN.024.050 Ipapo Rabhani naBhetueri vakapindura vakati, Chinhu ichi chinobva kuna Mwari. Isu hatigoni kutaura kwauri zvakaipa kana zvakanaka.

24:51b.GEN.024.051 Tarira, Rabheka ari pamberi pako, umutore uende, kuti ave mukadzi wake, sezvakarehwa naJehovha.

24:52b.GEN.024.052 Zvino muranda waAbhurahamu wakati anzwa mashoko avo, akakotamira pasi pamberi paJehovha;

24:53b.GEN.024.053 muranda akabudisa zvishongo zvesirivha, nezvendarama, nenguvo; akazvipa Rabheka; akapawo hanzvadzi yake namai vake nhumbi dzinokosha.

24:54b.GEN.024.054 Vakadya, vakanwa, iye navarume vaakanga anavo; vakagarapo usiku hwose, vakamuka mangwanani; iye akati, Regai, ndiende kuna tenzi wangu.

24:55b.GEN.024.055 Asi hanzvadzi yake namai vake vakati, Musikana achimbogara nesu mazuva zvimwe ane gumi, agozoenda hake.

24:56b.GEN.024.056 Asi iye wakati kwavari, Musandidzora henyu, Jehovha zvaakandifambisa zvakanaka parwendo rwangu; regai ndiende kuna tenzi wangu.

24:57b.GEN.024.057 Ivo vakati, Ngatidane musikana, tinzwe muromo wake.

24:58b.GEN.024.058 Vakadana Rabheka, vakati kwaari, Uchaenda nomurume uyu here? Akati, Ndichaenda.

24:59b.GEN.024.059 Ipapo vakatendera Rabheka, hanzvadzi yavo, nomureri wake, kuti vaende nomuranda waAbhurahamu, navanhu vake.

24:60b.GEN.024.060 Vakaropafadza Rabheka, vakati kwaari, Iwe, hanzvadzi yedu, uve mai vezviuru zvamazana; vana vako ngavave varidzi vamasuo avavengi vavo.

24:61b.GEN.024.061 Rabheka akasimuka, navasikana vake, vakatasva makamera, vakatevera murume uyo; muranda akatora Rabheka, akaenda parwendo rwake.

24:62b.GEN.024.062 Zvino Isaka wakanga achibva nenzira yeBheeri-rakai-roi; nokuti wakanga agere kunyika yenyasi.

24:63b.GEN.024.063 Isaka akabuda kundorangarira kusango nenguva yamadekwana; akasimudza meso ake, akatarira, akaona makamera achiuya.

24:64b.GEN.024.064 Rabheka akasimudzawo meso ake; akati achiona Isaka, akaburuka pakamera rake.

24:65b.GEN.024.065 Akati kumuranda, Murume uyu, anofamba musango kuzosangana nesu ndianiko? Muranda akati, Nditenzi wangu; iye akatora chokufukidzira chiso chake, akazvifukidza.

24:66b.GEN.024.066 Zvino muranda akaudza Isaka zvose zvaakanga aita.

24:67b.GEN.024.067 Isaka akamuisa mutende ramai vake Sara, akawana Rabheka, akava mukadzi wake; akamuda. Isaka akanyaradzwa shure kwokufa kwamai vake.

25

25:1b.GEN.025.001 Zvino Abhurahamu akawanazve mumwe mukadzi, wainzi Ketura.

25:2b.GEN.025.002 Iye akamuberekera Zimurami, naJokishani, naMedhani, naMidhiani, naIshibhaki, naShua.

25:3b.GEN.025.003 Jokishani akabereka Shebha naDhedhani. Vanakomana vaDhedhani vakanga vari vaAshuri, navaRetushi, navaReumi.

25:4b.GEN.025.004 Vanakomana vaMidhiani vakanga vari Efa, naEferi, naHanoki, naAbhidha, naEridha. Ava vose vakanga vari vana vaKetura.

25:5b.GEN.025.005 Abhurahamu akapa Isaka zvose zvaakanga anazvo.

25:6b.GEN.025.006 Asi vanakomana vavarongo vaAbhurahamu vaakanga anavo, Abhurahamu wakavapa zvipo; akavatuma, iye achiri mupenyu, vabve kuna Isaka mwanakomana wake, vaende kumabvazuva, kunyika yokumabvazuva.

25:7b.GEN.025.007 Ndiwo mazuva amakore oupenyu hwaAbhurahamu. Makore ane zana namakumi manomwe namashanu.

25:8b.GEN.025.008 Abhurahamu akabudisa mweya wake, akafa akwegura kwazvo, ava mutana, makore ake ave mazhinji, akasanganiswa navanhu vake.

25:9b.GEN.025.009 Isaka naIshimaeri, vanakomana vake, vakamuviga mubako reMakapera, mumunda waEfuroni, mwanakomana waZohari, wavaHeti, wakatarisana neMamure;

25:10b.GEN.025.010 ndiwo munda wakanga watengwa naAbhurahamu kuvana vaHeti; ndipo pakavigwa Abhurahamu naSara, mukadzi wake.

25:11b.GEN.025.011 Zvino Abhurahamu wakati afa, Mwari akaropafadza Isaka, mwanakomana wake; Isaka akagara paBheeri-rakai-roi.

25:12b.GEN.025.012 Ndiwo marudzi alshimaeri, mwanakomana waAbhurahamu, wakaberekerwa Abhurahamu naHagari, muljipiti, murandakadzi waSara.

25:13b.GEN.025.013 Ndiwo mazita avanakomana vaIshimaeri, ndiwo mazita avo pakuzvarwa kwavo. Wedangwe waIshimaeri wakanga ari Nebhayoti, naKedhari, naAdhibheri, naMibhisami,

25:14b.GEN.025.014 naMishima, naDhurina, naMasa,

25:15b.GEN.025.015 naHadhadhi, naTema, naJeturi, naNafishi, naKedhema;

25:16b.GEN.025.016 ndivo vanakomana vaIshimaeri, ndiwo mazita avo, pamisha yavo napamatende avo; machinda ane gumi namaviri nendudzi dzavo.

25:17b.GEN.025.017 Ndiwo makore oupenyu hwaIshimaeri, makore ane zana namakumi matatu namanomwe; akabudisa mweya wake, akafa, akasanganiswa navanhu vake.

25:18b.GEN.025.018 Vakagara kubva paHavhira kusvikira paShuri, mberi kweIjipiti, kana munhu achienda Asiria; akandogara akatarisana nehama dzake dzose. Kuzvarwa kwaEsau naJakobho

25:19b.GEN.025.019 Ndiwo marudzi alsaka, mwanakomana waAbhurahamu. Abhurahamu akabereka Isaka;

25:20b.GEN.025.020 Isaka akanga ana makore ana makumi mana pakuwana kwake Rabheka, mukunda waBhetueri, muAramu, wePadhanaramu, hanzvadzi yaRabhani, muAramu, kuti ave mukadzi wake.

25:21b.GEN.025.021 Zvino Isaka wakanyengeterera mukadzi wake kuna Jehovha, nokuti wakanga asingabereki; Jehovha akanzwa kunyengetera kwake, Rabheka, mukadzi wake, akave nemimba.

25:22b.GEN.025.022 Zvino vana vakasundana mukati make, akati, Kana zvakadaro, ndakaitirweiko izvozvi? Akandobvunza Jehovha.

25:23b.GEN.025.023 Jehovha akati kwaari, Mune ndudzi mbiri muchizvaro chako, ndudzi mbiri dzichaparadzana, dzichibva mudumbu rako; rumwe rudzi ruchakunda rumwe rudzi nesimba; mukuru achashumira muduku.

25:24b.GEN.025.024 Zvino mazuva ake okubereka akati asvika, onei vana vaviri vari muchizvaro chake.

25:25b.GEN.025.025 Wokutanga akabuda ari mutsvuku, muviri wose wakaita senguvo ine mvere; vakatumidza zita rake Esau.

25:26b.GEN.025.026 Pashure munununa wake akabuda, ruoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau, vakatumidza zita rake Jakobho. Isaka akanga ana makore makumi matanhatu pakuberekwa kwavo.

25:27b.GEN.025.027 Vakomana vakakura; Esau akava mudzimba wakachenjera, murume wesango; Jakobho wakanga ari murume wakarurama, waigara mumatende.

25:28b.GEN.025.028 Isaka akada Esau, nokuti waida nyama yemhuka, asi Rabheka wakanga achida Jakobho.

25:29b.GEN.025.029 Zvino Jakobho wakanga abika zvokudya, Esau akasvika achibva kusango aziya;

25:30b.GEN.025.030 Esau akati kuna Jakobho, Dondipawo izvo zvakatsvuka ndidye, nokuti ndaziya; saka wakatumidzwa zita rinonzi Edhomu.

25:31b.GEN.025.031 Jakobho akati, Chimbonditengesera udangwe hwako.

25:32b.GEN.025.032 Esau akati, Tarira, ndofa hangu, udangwe uchandibatsireiko?

25:33b.GEN.025.033 Jakobho akati, Chimbondipikira; akamupikira, akatengesera Jakobho udangwe hwake.

25:34b.GEN.025.034 Jakobho akapa Esau chingwa nezvokudya zvenyemba; akadya, akanwa, akasimuka, ndokuenda hake; Esau akazvidza udangwe hwake saizvozvo.

26

26:1b.GEN.026.001 Zvino nzara yakanga iripo panyika; isati iri nzara yakanga iripo pamazuva aAbhurahamu. Isaka akenda Gerari kuna Abhimereki, mambo wavaFirisitia.

26:2b.GEN.026.002 Jehovha akazviratidzazve kwaari akati, Usaburukira Ijipiti, gara munyika yandakakuudza;

26:3b.GEN.026.003 gara hako munyika ino uri mutorwa; ini ndichava newe, ndichakuropafadza; nokuti ndichakupa iwe, navana vako, nyika idzi dzose; ndichasimbisa mhiko yandakapikira Abhurahamu, baba vako;

26:4b.GEN.026.004 ndichawanza vana vako senyeredzi dzedenga; ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako;

26:5b.GEN.026.005 nokuti Abhurahamu wakateerera inzwi rangu, akachengeta zvandakamuraira, nemirairo yangu, nemitemo yangu, nemirau yangu.

26:6b.GEN.026.006 Isaka akagara Gerari;

26:7b.GEN.026.007 vanhu venyika iyoyo vakamubvunza pamusoro pomukadzi wake, akati, Ihanzvadzi yangu; nokuti wakanga achitya kuti, mukadzi wangu, achiti, Zvimwe vanhu venyika ino vangandiuraya nokuda kwaRabheka; nokuti akanga akanaka kumeso.

26:8b.GEN.026.008 Zvino wakati avapo nguva refu, Abhimereki, mambo wavaFirisitia, wakatarira napahwindo, akaona Isaka achitamba naRabheka, mukadzi wake.

26:9b.GEN.026.009 Ipapo Abhimereki akadana Isaka akati, Tarira, zvirokwazvo mukadzi wako; wakataura seiko uchiti, Ihanzvadzi yangu? Isaka akati kwaari, Nokuti ndakati, Zvimwe ndingafa nokuda kwake.

26:10b.GEN.026.010 Abhimereki akati kwaari, Ndokudiniko kuti watiitira chinhu ichi? Dai mumwe wavanhu aivata nomukadzi wako, ungadai watiisa pamhosva.

26:11b.GEN.026.011 Abhimereki akaraira vanhu vose, akati, Anobata munhu uyu kana mukadzi wake, achauraiwa zvirokwazvo.

26:12b.GEN.026.012 Zvino Isaka akadzvara zviyo munyika iyoyo, akawana gore iro rune zana; Jehovha akamuropafadza.

26:13b.GEN.026.013 Munhu uyu akava mukuru, akaramba achiwedzerwa, kusvikira ava mukuru kwazvo;

26:14b.GEN.026.014 akanga aine fuma yamakwai, neyemombe, nemhuri huru; vaFirisitia vakamugodora.

26:15b.GEN.026.015 VaFirisitia vakadzivira matsime ose akanga acherwa navaranda vababa vake pamazuva ababa vake Abhurahamu, vakaafutsira nevhu.

26:16b.GEN.026.016 Abhimereki akati kuna Isaka, Ibva hako kwatiri, nokuti watipfuura kwazvo nesimba.

26:17b.GEN.026.017 Isaka akabvapo, akandodzika matende ake mumupata weGerari, akagarapo.

26:18b.GEN.026.018 Isaka akacherazve matsime emvura, akanga acherwa pamazuva ababa vake, Abhurahamu; nokuti vaFirisitia vakanga vaadzivira Abhurahamu afa; akaatumidza mazita aakanga atumidzwa nababa vake.

26:19b.GEN.026.019 Varanda vaIsaka vakachera mumupata, vakawanapo tsime remvura inotubuka.

26:20b.GEN.026.020 Vafudzi veGerari vakaitirana nharo navafudzi vaIsaka, vachiti, Imvura yedu; akatumidza tsime iroro zita rinonzi Eseki; nokuti vakapesana naye.

26:21b.GEN.026.021 Zvino akandocherazve rimwe tsime; vakaitirana nharo pamusoro pairorozve; akaritumidza zita rinonzi Sitina.

26:22b.GEN.026.022 Akabvapo, akandocherazve rimwe tsime; iroro havana kuzoitirana nharo pamusoro paro; akaritumidza zita rinonzi Rehobhoti; akati, Nokuti zvino Jehovha wakandiitira nzvimbo huru, kuti tiwande munyika ino.

26:23b.GEN.026.023 Akabvapo, akakwira Bheerishebha;

26:24b.GEN.026.024 Jehovha akazviratidza kwaari usiku ihwohwo, akati, Ndini Mwari waAbhurahamu, baba vako; usatya, nokuti ndinewe, ndichakuropafadza, nokuwanza rudzi rwako nokuda kwaAbhurahamu, muranda wangu.

26:25b.GEN.026.025 Akavakapo aritari, akanamata zita raJehovha, akadzika tende rake ipapo; varanda vaIsaka vakacherapo tsime.

26:26b.GEN.026.026 Ipapo Abhimereki akaenda kwaari, achibva Gerari, aine shamwari yake Ahuzati, naPikori, mukuru wehondo yake.

26:27b.GEN.026.027 Isaka akati kwavari, Mauyireiko kwandiri, zvamunondivenga, mukandidzinga kwamuri?

26:28b.GEN.026.028 Ivo vakati, Takaona kwazvo kuti Jehovha anewe, tikati, Zvino mhiko ngaivepo pakati pedu, pakati pedu newe, tiite sungano newe;

26:29b.GEN.026.029 kuti urege kutiitira zvakaipa, sezvatisina kukubata iwe, sezvatakakuitira zvakanaka bedzi, tikakuendesa norugare; zvino iwe ndiwe hako muropafadzwa waJehovha.

26:30b.GEN.026.030 Iye akavagadzirira zvokudya, vakadya, vakanwa,

26:31b.GEN.026.031 vakamuka mangwanani, vakapikirana; ipapo Isaka akavatendera kuenda, vakabva kwaari norugare.

26:32b.GEN.026.032 Nomusi iwoyo varanda vaIsaka vakauya, vakamuudza kuti vakanga vachera tsime, vakati kwaari, Mvura taiwana.

26:33b.GEN.026.033 Akaritumidza zita rinonzi Shebha; naizvozvo zita reguta ndiBheerishebha kusvikira zuva ranhasi.

26:34b.GEN.026.034 Zvino Esau wakati asvika makore makumi mana, akawana Judhisi, mukunda waBheeri, muHeti, naBhasimati, mukunda waEroni, muHeti;

26:35b.GEN.026.035 ivavo vakarwadza moyo walsaka naRabheka.

27

27:1b.GEN.027.001 Zvino Isaka wakati ava mutana, meso ake owonera madzedzerere, asisaoni zvakanaka, akadana Esau, mwanakomana wake mukuru, akati kwaari, Mwana wangu; iye akati kwaari, Ndiri pano hangu.

27:2b.GEN.027.002 Akati, Tarira zvino ndakwegura; handizivi zuva rokufa kwangu.

27:3b.GEN.027.003 Zvino tora hako nhumbi dzako dzokuvhima nadzo, dzinoti goba rako, nouta hwako, uende kusango undivhimire mhuka;

27:4b.GEN.027.004 undigadzirire nyama yakanaka, sezvandinoda, uuye nayo kwandiri, ndidye, mweya wangu ukuropafadze, ndisati ndafa.

27:5b.GEN.027.005 Zvino Rabheka akanzwa Isaka achitaura naEsau, mwanakomana wake. Esau akaenda kusango kundovhima mhuka, kuti auye nayo.

27:6b.GEN.027.006 Rabheka akataura naJakobho, mwanakomana wake, akati, Tarira, ndanzwa baba vako vachitaura naEsau, mukoma wako, vachiti,

27:7b.GEN.027.007 Nditorere mhuka, undigadzirire nyama yakanaka, kuti ndiidye, ndikuropafadze pamberi paJehovha ndisati ndafa.

27:8b.GEN.027.008 Zvino mwana wangu, teerera inzwi rangu sezvandinokuraira.

27:9b.GEN.027.009 Enda zvino kuzvipfuwo, unditorerepo mbudzana mbiri dzakanaka, ndigadzirire baba vako nadzo nyama yakanaka, sezvavanoda;

27:10b.GEN.027.010 ugoenda nayo kuna baba vako, vadye, kuti vakuropafadze vasati vafa.

27:11b.GEN.027.011 Jakobho akati kuna Rabheka mai vake, Tarirai, Esau, mukoma wangu, munhu ane mvere, asi ini ndiri munhu asina mvere.

27:12b.GEN.027.012 Zvimwe baba vangu vachandibata-bata, ndikava somunyengedzeri pamberi pavo, ndikazviuyisira kutukwa pachigaro chokuropafadzwa.

27:13b.GEN.027.013 Mai vake vakati kwaari, Kutukwa kwako ngakuve pamusoro pangu, mwana wangu; teerera hako inzwi rangu, uende unditorere idzo.

27:14b.GEN.027.014 Iye akaenda, akadzitora, akadziisa kuna mai vake; mai vake vakagadzira nyama yakanaka, yaidikanwa nababa vake.

27:15b.GEN.027.015 Zvino Rabheka akatora nguvo dzakaisvonaka dzaEsau, mwanakomana wake mukuru, dzaaiva nadzo mumba, akadzifukidza Jakobho, mwanakomana wake muduku;

27:16b.GEN.027.016 akaisa nguvo dzembudzana pamaoko ake, napamutsipa wake pakanga pasina mvere;

27:17b.GEN.027.017 akaisa nyama yakanaka nechingwa, zvaakanga agadzira, muruoko rwaJakobho, mwanakomana wake.

27:18b.GEN.027.018 Iye akaenda kuna baba vake, akati, Baba vangu; ivo vakati, Ndiri pano hangu; ndiwe aniko mwana wangu?

27:19b.GEN.027.019 Jakobho akati kuna baba vake, Ndini Esau, dangwe renyu; ndaita sezvamandiraira; simukai henyu, mugare, mudye nyama yangu yemhuka, mweya wenyu undiropafadze.

27:20b.GEN.027.020 Isaka akati kumwanakomana wake, Wakurumidza seiko kuiwana, mwana wangu? Iye akati, Nokuti Jehovha, Mwari wenyu, waituma pamberi pangu.

27:21b.GEN.027.021 Isaka akati kuna Jakobho, Chimboswedera hako, ndikubate-bate, mwana wangu, kuti ndizive kuti uri mwanakomana wangu Esau chaiye, kana kuti hausi iwe.

27:22b.GEN.027.022 Jakobho akaswedera kuna Isaka, baba vake; ivo vakamubatabata, vakati, Inzwi, inzwi raJakobho, asi maoko maoko aEsau.

27:23b.GEN.027.023 Asi haana kumuziva, nokuti maoko ake akanga aine mvere, samaoko omukuru wake Esau; akamuropafadza.

27:24b.GEN.027.024 Akati, Ndiwe mwanakomana wangu Esau chaiye here? Iye akati, Ndini iye.

27:25b.GEN.027.025 Akati, Uiswededze pedo neni, kuti ndidye nyama yemhuka yomwanakomana wangu, mweya wangu ukuropafadze. Iye akaiswededza pedo naye, akadya; akamupawo waini, akanwa.

27:26b.GEN.027.026 Ipapo baba vake Isaka vakati kwaari, Swedera zvino unditsvode, mwana wangu.

27:27b.GEN.027.027 Akaswedera, akamutsvoda; akanzwa munhuwi wenguvo dzake, akamuropafadzwa, akati, Tarira munhuwi womwanakomana wangu wakaita somunhuwi wesango rakaropafadzwa naJehovha;

27:28b.GEN.027.028 Mwari ngaakupe dova rokudenga, mafuta enyika, nezviyo newaini zvakawanda.

27:29b.GEN.027.029 Vanhu ngavakushumire, marudzi ose ngaakupfugamire; uve ishe wehama dzako, vanakomana vamai vako ngavakupfugamire; vose vanokutuka ngavatukwe, vose vanokuropafadza ngavaropafadzwe.

27:30b.GEN.027.030 Zvino Isaka wakati apedza kuropafadza Jakobho, Jakobho achangobuda pamberi palsaka baba vake, Esau mukoma wake, akapinda, achibva pakuvhima kwake.

27:31b.GEN.027.031 Naiye akagadzira nyama yakanaka, akaenda nayo kuna baba vake; akati kuna baba vake, Baba vangu ngavasimuke, ngavadye nyama yemhuka yomwanakomana wavo, kuti mweya wenyu undiropafadze.

27:32b.GEN.027.032 Ipapo Isaka baba vake vakati, Ndiwe aniko? Iye akati, Ndini mwanakomana wenyu, dangwe renyu Esau.

27:33b.GEN.027.033 Isaka akabvunda kwazvo-kwazvo, akati, Ndianiko wakanga avhima mhuka, akauya nayo kwandiri ndikadya zvose, iwe usati wasvika, ndikamuropafadza? Hongu, zvirokwazvo iye acharopafadzwa hake.

27:34b.GEN.027.034 Esau akati achinzwa mashoko ababa vake, akachema nokuchema kukuru kunorwadza moyo, akati kuna baba vake, Ndiropafadzei neniwo, baba vangu!

27:35b.GEN.027.035 Akati, Munununa wako wakauya nokunyengedzera, akatora kuropafadzwa kwako.

27:36b.GEN.027.036 Iye akati, Haana kutumidzwa zita rakamufanira here, rokuti Jakobho? Nokuti zvino wandinyengedzera kaviri; wambonditorera udangwe hwangu, zvino tarira, wanditorera kuropafadzwa kwangu. Akati, Hamuna kundichengeterawo kuropafadzwa here?

27:37b.GEN.027.037 Isaka akapindura, akati kuna Esau, Tarira, ndamuita ishe wako, nehama dzake dzose ndakamupa iye, kuti vave varanda vake; ndamusimbisa nezviyo newaini; zvino chinyiko chandingakuitira iwe, mwana wangu?

27:38b.GEN.027.038 Esau akati kuna baba vake, Munongova nokuropafadza kumwe kwoga here, baba vangu? Ndiropafadzei, neniwo, baba vangu! Esau akachema nokuchema. kukuru.

27:39b.GEN.027.039 Ipapo Isaka baba vake, akapindura akati kwaari, Tarira, ugaro hwako uchava kure namafuta enyika, kure nedova rokudenga rinobva kumusoro;

27:40b.GEN.027.040 uchararama nomunondo wako, uchashumira munununa wako; uchati kana wozvimutsa iwe, uchavhuna joko rake ribve pamutsipa wako.

27:41b.GEN.027.041 Esau akavenga Jakobho nokuda kwokuropafadzwa kwaakaropafadzwa nako nababa vake; Esau akati mumoyo make, Mazuva okuchema baba vangu ava kuda kusvika; ipapo ndichauraya munununa wangu Jakobho.

27:42b.GEN.027.042 Zvino Rabheka akaudzwa mashoko aEsau, mwanakomana wake mukuru; akatuma munhu kundodana Jakobho, mwanakomana wake muduku, akati kwaari, Tarira, mukoma wako Esau anozvivaraidza pamusoro pako, achiti achakuuraya.

27:43b.GEN.027.043 Saka zvino, mwana wangu, teerera inzwi rangu; simuka utizire Harani kuna Rabhani hanzvadzi yangu;

27:44b.GEN.027.044 undogara kwaari mazuva mashomanana, kusvikira shungu dzomukoma wako dzanyarara;

27:45b.GEN.027.045 kusvikira kutsamwa kwomukoma wako kwanyarara kwauri, kana akanganwa izvo zvawamuitira. Ipapo ndichatuma munhu kuzokutora ikoko; ndichatorerwa seiko nomusi mumwe imwi mose muri vaviri?

27:46b.GEN.027.046 Rabheka akati kuna Isaka, Ndanetswa noupenyu hwangu nokuda kwavakunda vaHeti; kana Jakobho akawanawo mukadzi kuvakunda vaHeti, wakaita saivava, kuvakunda venyika ino, upenyu hwangu ungandibatsirei?

28

28:1b.GEN.028.001 Zvino Isaka wakadana Jakobho, akamuropafadza, akamuraira, akati kwaari, Usawana mukadzi kuvakunda veKenani.

28:2b.GEN.028.002 Simuka uende Padhanaramu, kuimba yaBhetueri, baba vamai vako, uzviwanire ikoko mukadzi kuvakunda vaRabhani, hanzvadzi yamai vako.

28:3b.GEN.028.003 Mwari Wamasimbaose ngaakuropafadze, akuberekese vana, akuwanze, kuti uve ndudzi zhinji dzavanhu;

28:4b.GEN.028.004 akupe kuropafadzwa kwaAbhurahamu, iwe, navana vako pamwechete newe; kuti ugare nhaka yenyika maugere uri mutorwa, iyo yakapiwa Abhurahamu naMwari.

28:5b.GEN.028.005 Isaka akati Jakobho aende, akaenda Padhanaramu, kuna Rabhani, mwanakomana waBhetueri, muAramu, hanzvadzi yaRabheka, mai vaJakobho naEsau.

28:6b.GEN.028.006 Zvino Esau wakaona kuti Isaka wakanga aropafadza Jakobho, akati aende Padhanaramu, kuti azviwanire ikoko mukadzi; uyewo kuti pakumuropafadza kwake akamuraira, achiti, Usawana mukadzi kuvakunda veKenani;

28:7b.GEN.028.007 uyezve, kuti Jakobho akateerera baba vake namai vake, akaenda Padhanaramu.

28:8b.GEN.028.008 Esau akaona kuti vakunda veKenani havana kufadza Isaka baba vake;

28:9b.GEN.028.009 Esau akaenda kuna Ishimaeri, akawedzera kuvakadzi vake, vaakanga anavo, Maharati mukunda walshimaeri, mwanakomana waAbhurahamu, hanzvadzi yaNebhayoti, kuti ave mukadzi wake.

28:10b.GEN.028.010 Zvino Jakobho akabuda paBheerishebha, akaenda Harani,

28:11b.GEN.028.011 akasvika pane imwe nzvimbo, akavatapo usiku, nokuti zuva rakanga ravira; akatora rimwe ibwe ipapo, akaritsamira, akavata pasi ipapo.

28:12b.GEN.028.012 Akarota, akaona danhu rakanga ramiswa panyika, musoro waro wakasvika kudenga; akaona vatumwa vaMwari vachikwira nokuburuka naro.

28:13b.GEN.028.013 Akaona Jehovha amire naye, akati, Ndini Jehovha, Mwari waAbhurahamu baba vako, naMwari waIsaka; nyika yauvete pamusoro payo ndichakupa iyoyo, iwe navana vako;

28:14b.GEN.028.014 vana vako vachaita seguruva renyika; uchapararira kumavirazuva, nokumabvazuva, nokumusoro, nenyasi; ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa mauri nomuvana vako.

28:15b.GEN.028.015 Tarira, ndinewe, ndichakuchengeta kwose kwaunoenda, nokukudzosera kunyika ino; nokuti handingakusiyi kusvikira ndaita izvozvo zvandakakuudza.

28:16b.GEN.028.016 Ipapo Jakobho akapepuka pahope dzake, akati, Zvirokwazvo Jehovha ari panzvimbo ino, asi ini handina kuzviziva.

28:17b.GEN.028.017 Akatya akati, Nzvimbo ino inotyisa seiko! Iyi imba chaiyo yaMwari, isuo rokudenga.

28:18b.GEN.028.018 Jakobho akamuka mangwanani, akatora ibwe raakanga akatsamira, akarimisa kuti rive shongwe, akadira mafuta pamusoro paro;

28:19b.GEN.028.019 akatumidza nzvimbo iyoyo zita rinonzi Bheteri, asi zita reguta pakutanga rainzi Ruzi.

28:20b.GEN.028.020 Ipapo Jakobho akapika mhiko achiti, Kana Mwari akava neni, akandichengeta panzira yandinoenda, akandipa zvokudya, ndidye, nezvokufuka, ndifuke;

28:21b.GEN.028.021 ndikadzokerazve norugare kuimba yababa vangu, Jehovha achava Mwari wangu;

28:22b.GEN.028.022 neiri ibwe, randakamisa rikava shongwe, richava imba yaMwari; nezvinhu zvose zvamuchandipa, zvirokwazvo ndichakupai chegumi chazvo.

29

29:1b.GEN.029.001 Jakobho akasimukapo, akaenda kunyika yavanhu vamabvazuva.

29:2b.GEN.029.002 Akatarira, akaona tsime kusango, namapoka matatu amakwai avete pasi pariri; nokuti vainwisa mapoka avo patsime iroro; pamuromo wetsime iroro pakanga paine ibwe guru.

29:3b.GEN.029.003 Ndipapo paiungana mapoka ose; zvino vaikungurutsa ibwe pamuromo wetsime, vakanwisa makwai avo, vachidzoserazve ibwe pamuromo wetsime paugaro hwaro.

29:4b.GEN.029.004 Jakobho akati kwavari, Hama dzangu, mabvepiko? Ivo vakati, Tabva Harani.

29:5b.GEN.029.005 Iye akati kwavari, Munoziva Rabhani, mwanakomana waNahori, here? Vakati, Tinomuziva.

29:6b.GEN.029.006 Akati kwavari, Wakafara here? Ivo vakati, Wakafara hake; hoyo Rakeri mukunda wake, wouya namakwai.

29:7b.GEN.029.007 Akati, Tarirai, achiri masikati makuru, nguva yokuunganidza zvipfuwo ichigere kusvika; nwisai makwai, mugondoafudza.

29:8b.GEN.029.008 Ivo vakati, Hatingagoni kusvikira mapoka ose aunganidzwa pamwechete, ibwe rikakungurutswa pamuromo wetsime; ipapo tinonwisa makwai.

29:9b.GEN.029.009 Akati achiri kutaura navo, Rakeri akasvika namakwai ababa vake, nokuti ndiye aiva mufudzi wawo.

29:10b.GEN.029.010 Zvino Jakobho akati achiona Rakeri, mukunda waRabhani, hanzvadzi yamai vake, Jakobho akaswedera, akakungurutsa ibwe pamuromo wetsime, akanwisa makwai aRabhani, hanzvadzi yamai vake.

29:11b.GEN.029.011 Jakobho akatsvoda Rakeri, akachema kwazvo.

29:12b.GEN.029.012 Jakobho akaudza Rakeri kuti iye ihama yababa vake, mwanakomana waRabheka. Ipapo iye akamhanya, akandoudza baba vake.

29:13b.GEN.029.013 Rabhani akati anzwa mashoko aJakobho, mwanakomana wehanzvadzi yake, akamhanya kundosangana naye, akamumbundikira, akamutsvoda, akamuisa kumba kwake. Iye akaudza Rabhani zvinhu izvo zvose.

29:14b.GEN.029.014 Rabhani akati kwaari, Zvirokwazvo uri pfupa rangu renyama yangu. Akagara naye mwedzi wose.

29:15b.GEN.029.015 Zvino Rabhani akati kuna Jakobho, Ko ungandibatira usingapiwi mubayiro, nokuti uri hama yangu here? Ndiudze kuti mubayiro wako uve weiko.

29:16b.GEN.029.016 Zvino Rabhani akanga ana vakunda vaviri; zita romukuru rakanga riri Rea, nezita romuduku Rakeri.

29:17b.GEN.029.017 Rea akanga ana meso akaneta, asi Rakeri akanga akanaka kwazvo pamuviri napachiso.

29:18b.GEN.029.018 Zvino Jakobho akanga achida Rakeri, akati, Ndichakubatirai makore manomwe pamusoro paRakeri, mukunda wenyu muduku.

29:19b.GEN.029.019 Rabhani akati kwaari, Zviri nani kuti ndimupe iwe, ndirege kumupa mumwe murume; gara hako neni.

29:20b.GEN.029.020 Jakobho akamubatira makore manomwe pamusoro paRakeri; asi akava samazuva mashoma kwaari, nokuti akanga achimuda.

29:21b.GEN.029.021 Zvino Jakobho akati kuna Rabhani, Ndipei mukadzi wangu, nokuti mazuva angu asvika, kuti ndipinde kwaari.

29:22b.GEN.029.022 Rabhani akakoka vanhu vose voko, akaita mutambo.

29:23b.GEN.029.023 Zvino kuzoti ava madeko, akatora Rea, mukunda wake, akamuisa kwaari; iye akapinda kwaari.

29:24b.GEN.029.024 Rabhani akapa Rea, mukunda wake Ziripa, murandakadzi wake, kuti ave mushandiri wake.

29:25b.GEN.029.025 Zvino mangwana akaona kuti ndiRea; akati kuna Rabhani, Chiiko ichi chawandiitira? Handina kukubatira pamusoro paRakeri here? Wandinyengedzera seiko?

29:26b.GEN.029.026 Rabhani akati, Hakunzarwo kuno kwedu, kuti munununa atange kuwaniswa, mukuru achigere.

29:27b.GEN.029.027 Pedzisa vhiki yewaniso naiyeyu, tigokupa mumwewo pamusoro pebasa rauchandibatira mamwe makore manomwezve.

29:28b.GEN.029.028 Jakobho akaita saizvozvo, akapedza vhiki yewaniso naye; akamupa Rakeri, mukunda wake, kuti ave mukadzi wake.

29:29b.GEN.029.029 Rabhani akapa Rakeri, mukunda wake, Bhiriha murandakadzi wake, kuti ave mushandiri wake.

29:30b.GEN.029.030 Akapindawo kuna Rakeri, akada Rakeriwo kupfuura Rea, akamubatira mamwe makore manomwezve.

29:31b.GEN.029.031 Zvino Jehovha akaona kuti Rea akanga asingadikanwi, akamuberekesa; asi Rakeri akanga asingabereki.

29:32b.GEN.029.032 Rea akava nemimba, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Rubheni; nokuti wakati, Jehovha akaona dambudziko rangu; nokuti zvino murume wangu achandida.

29:33b.GEN.029.033 Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akati, Jehovha akanzwa kuti handidikanwi, naizvozvo akandipawo uyu; akamutumidza zita rinonzi Simiyoni.

29:34b.GEN.029.034 Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akati, Zvino nguva ino murume wangu achandinamatira, nokuti ndamuberekera vanakomana vatatu; naizvozvo zita rake rakanzi Revhi.

29:35b.GEN.029.035 Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akati, Nguva ino ndicharumbidza Jehovha; naizvozvo akamutumidza zita rinonzi Judha; akaguma kubereka.

30

30:1b.GEN.030.001 Zvino Rakeri akati achiona kuti haaberekeri Jakobho vana, Rakeri akagodora mukoma wake, akati kuna Jakobho, ndipe vana; kana usingandipi, ndichafa.

30:2b.GEN.030.002 Ipapo Jakobho akatsamwira Rakeri akati, Ndiri panzvimbo yaMwari kanhi, wakakushaisa chibereko?

30:3b.GEN.030.003 Iye akati, Hoyo murandakadzi wangu Bhiriha; pinda kwaari kuti abereke pamabvi angu, neni ndiwane vana kwaari.

30:4b.GEN.030.004 Akamupa Bhiriha, murandakadzi wake, kuti ave mukadzi wake; Jakobho akapinda kwaari.

30:5b.GEN.030.005 Zvino Bhiriha akava nemimba, akaberekera Jakobho mwanakomana.

30:6b.GEN.030.006 Rakeri akati, Mwari akandiruramisa, akandipa mwanakomana, naizvozvo akamutumidza zita rinonzi Dhani.

30:7b.GEN.030.007 Bhiriha, murandakadzi waRakeri akava nemimbazve, akaberekera Jakobho mwanakomana wechipiri.

30:8b.GEN.030.008 Zvino Rakeri akati, Ndakarwa nokurwa kukuru nomukoma wangu, ndikakunda; akamutumidza zita rinonzi Nafutari.

30:9b.GEN.030.009 Zvino Rea akati achiona kuti waguma kubereka vana akatora Ziripa, murandakadzi wake, akamupa Jakobho, kuti ave mukadzi wake.

30:10b.GEN.030.010 Ziripa, murandakadzi waRea, akaberekera Jakobho mwanakomana.

30:11b.GEN.030.011 Rea akati, Makorokoto! Akamutumidza zita rinonzi Gadhi.

30:12b.GEN.030.012 Ziripa, murandakadzi waRea, akaberekera Jakobho mwanakomana wechipiri.

30:13b.GEN.030.013 Rea akati, Ndinomufaro mukuru, nokuti vanasikana vachati, ndinomufaro mukuru, akamutumidza zita rinonzi Asheri.

30:14b.GEN.030.014 Zvino Rubheni akaenda pamazuva okucheka zviyo, akandowana michero kusango, akauya nayo kuna mai vake Rea. Rakeri akati kuna Rea, Dondipawo michero yomwanakomana wako.

30:15b.GEN.030.015 Iye akati kwaari, Chinhu chiduku here kuti wakatora murume wangu? Rakeri akati, Naizvozvo ngaavate newe usiku huno nokuda kwemichero yomwanakomana wako.

30:16b.GEN.030.016 Zvino Jakobho akati obva kusango madeko, Rea akabuda kundosangana naye, akati, Unofanira kupinda kwandiri, nokuti ndakakutenga nemichero yomwanakomana wangu. Akavata naye usiku ihwohwo.

30:17b.GEN.030.017 Zvino Mwari akanzwa Rea, akava nemimba, akaberekera Jakobho mwanakomana wechishanu.

30:18b.GEN.030.018 Rea akati, Mwari akandipa mubayiro wangu, nokuti ndakapa murandakadzi wangu murume wangu; akamutumidza zita rinonzi Isakari.

30:19b.GEN.030.019 Rea akava nemimbazve, akaberekera jakobho mwanakomana wechitanhatu.

30:20b.GEN.030.020 Rea akati, Mwari akandipa chipo chakanaka; zvino murume wangu achagara neni, nokuti ndamuberekera vanakomana vatanhatu; akamutumidza zita rinonzi Zebhuroni.

30:21b.GEN.030.021 pashure akazobereka mwanasikana, akamutumidza zita rinonzi Dhina.

30:22b.GEN.030.022 Zvino Mwari akarangarirawo Rakeri, Mwari akamunzwa, akazarura chizvaro chake.

30:23b.GEN.030.023 Iye akava nemimba , akabereka mwanakomana; akati, mwari akabvisa kuzvidzwa kwangu;

30:24b.GEN.030.024 akamutumidza zita rinonzi Josefa, achiti, Jehovha ngaandiwedzere mumwe mwanakomana.

30:25b.GEN.030.025 Zvino Rakeri akati abereka Josefa, Jakobho akati kuna Rabhani, Ndiregei, ndiende kumusha kwangu, nokunyika yangu.

30:26b.GEN.030.026 Ndipei vakadzi vangu navana vangu, vandakakubatirai, ndiende hangu, nokuti imwi munoziva kubata basa kwangu kwandakakubatirai nako.

30:27b.GEN.030.027 Rabhani akati, ,Zvino kana ndawana nyasha pamberi pako, gara hako, nokuti ndakaona kuti Jehovha akandiropafadza nokuda kwako.

30:28b.GEN.030.028 Akati, Ndiudze mubayiro wako, ndigokupa iwo.

30:29b.GEN.030.029 Iye akati, imwi munoziva mumene sezvandakakubatirai, uye kugara kwezvipfuwo zvenyu kwandiri.

30:30b.GEN.030.030 Nokuti zvamaiva nazvo, ndisati ndasvika, zvanga zviri zvishoma, zvikazowanda. zvikava zvizhinji; Jehovha akakuropafadzai pose pandakatsika; zvino ndichabatira imba yangu rinhiko?

30:31b.GEN.030.031 Iye akati, Ndokupeiko? Jakobho akati, Musandipa chinhu; kana mukandiitira chinhu ichi, ndichafudzazve zvipfuwo zvenyu nokuzvichengeta.

30:32b.GEN.030.032 Ndichafamba pakati pezvipfuwo zvenyu zvose nhasi, ndichiraura pakati pazvo zvose zvinamavara nezvinamakwapa, namatema pakati pamakwai, nedzinamavara nedzinamakwapa pakati pembudzi; ndizvozvo zvichava mubayiro wangu.

30:33b.GEN.030.033 Nenzira iyi kururama kwangu kuchandipupurira pashure, kana muchizouya kuona mubayiro wangu uri pamberi penyu; dzose dzisina mavara nedzisina makwapa pakati pembudzi, namatema pakati pamakwai, izvozvo kana zvikawanikwa kwandiri mungati zvabiwa neni.

30:34b.GEN.030.034 Rabhani akati, Ndizvo hazvo, ngazvive sezvawataura.

30:35b.GEN.030.035 Nomusi iwoyo akaraura nhongo dzembudzi dzakanga dzine mitsetse, nedzina makwapa, nenhunzvi dzose dzembudzi dzakanga dzina mavara nedzina makwapa, dzose dzakanga dzinoruvana ruchena, napakati pamakwai ose akanga anoruvara rutema, akazvipa vana vake;

30:36b.GEN.030.036 akaisa runhambo rwamazuva matatu pakati pake naJakobho; Jakobho akafudza zvipfuwo zvaRabhani zvakanga zvasara.

30:37b.GEN.030.037 Zvino Jakobho akatora matanda omusitorakisi, noomuamanda, noomupurani, akasvuura mitaro michena paari, kuti kuchena kuonekwe kwakanga kuri maari;

30:38b.GEN.030.038 akaisa matanda aakanga asvuura pamberi pezvipfuwo muzvinwiro, paiuya zvipfuwo zvichinwa; zvikatora zamu kana zvouya kunwa.

30:39b.GEN.030.039 Zvipfuwo zvikatora zamu pamberi pamatanda, zvipfuwo zvikabereka vana vane mitsetse, navanamavara, navanamakwapa.

30:40b.GEN.030.040 Zvino Jakobho akaraura makwayana, akataridza zvipfuwo kune zvaiva nemitsetse, nezvitema pakati pezvipfuwo zvaRabhani; akaisa mapoka ake ari oga; haana kuzviisa kuzvipfuwo zvaRabhani.

30:41b.GEN.030.041 Zvino nguva imwe neimwe kana zvaiva nesimba pazvipfuwo zvichitora zamu, Jakobho akaisa matanda pamberi pezvipfuwo muzvinwiro, kuti zvitore zamu pakati pamatanda;

30:42b.GEN.030.042 asi kana zvipfuwo zvichishaiwa simba haana kuaisa; naizvozvo zvakanga zvisina simba zvakanga zviri zvaRabhani

30:43b.GEN.030.043 Murume uyu akava mukuru kwazvo, akava nezvipfuwo zvizhinji, navaranda, navarandakadzi, namakamera, namadhongi.

31

31:1b.GEN.031.001 Zvino Jakobho akanzwa mashoko avanakomana vaRabhani, vachiti, Jakobho atora zvose zvaiva zvababa vedu; azviwanira fuma yose iyi kune zvaiva zvababa vedu.

31:2b.GEN.031.002 Jakobho akaonawo kuti chiso chaRabhani chakanga chisakaita kwaari sapakutanga.

31:3b.GEN.031.003 Jehovha akati kuna Jakobho, Dzokera kunyika yamadzibaba ako, nokuhama dzako; ini ndichava newe.

31:4b.GEN.031.004 lpapo Jakobho akatuma munhu kundodana Rakeri naRea vauye kusango kuzvipfuwo zvake;

31:5b.GEN.031.005 akati kwavari, Ndinoona kuti chiso chababa venyu hachizakaita kwandiri sapakutanga; asi Mwari wababa vangu akanga aneni.

31:6b.GEN.031.006 Munoziva kuti ndakabatira baba venyu nesimba rangu rose.

31:7b.GEN.031.007 Baba venyu vakandinyengedzera, vakashandura mubayiro wangu kagumi; asi Mwari haana kutendera kuti vandiitire zvakaipa.

31:8b.GEN.031.008 Kana vakati, Zvina mavara ngazvive mubayiro wako, zvipfuwo zvose ndokubereka zvina mavara; kana vakati, Zvine mitsetse ngazvive mubayiro wako, zvipfuwo zvose ndokubereka zvine mitsetse.

31:9b.GEN.031.009 Naizvozvo Mwari akatorera baba venyu zvipfuwo zvavo, akandipa ini izvozvo.

31:10b.GEN.031.010 Zvino zvipfuwo zvakati zvichitora mazamu, ndakatarira ndikaona pakurota kwangu nhongo, dzakanga dzichikwira zvipfuwo, dzakanga dzine mitsetse, namavara, nedzakaita pfumbu.

31:11b.GEN.031.011 Ipapo mutumwa waMwari akati kwandiri pakurota kwangu, Jakobho! Ini ndikati, Ndiri pano hangu.

31:12b.GEN.031.012 Akati, Zvino tarira, uone, kuti nhongo dzose, dzinokwira zvipfuwo, dzinemitsetse, namavara, dzakaita pfumbu; nokuti ndazviona zvose Rabhani zvaanoita kwauri.

31:13b.GEN.031.013 Ndini Mwari weBheteri, paya pawakazodza shongwe, paya pawakandipikira mhiko; zvino simuka, ubve munyika ino, udzokere kunyika kwawakaberekerwa.

31:14b.GEN.031.014 Ipapo Rakeri naRea vakapindura vakati kwaari, Ko tichine mugove nenhaka kuimba yababa vedu here?

31:15b.GEN.031.015 Hatizi tatova vatorwa kwavari here? Nokuti vakatitengesa, vakapedzawo chose mutengo wedu.

31:16b.GEN.031.016 Nokuti fuma yose, yakatorerwa baba vedu naMwari, ndeyedu neyavana vedu; naizvozvo zvino chiita hako sezvawaudzwa naMwari.

31:17b.GEN.031.017 Ipapo Jakobho akasimuka, akatasvisa vana vake navakadzi vake pamakamera;

31:18b.GEN.031.018 akatora zvipfuwo zvake zvose, nefuma yake yose, yaakanga aunganidza, zvipfuwo zvaakanga apfuwa, zvaakanga aunganidza paPadhanaramu, kuti aende kuna Isaka baba vake, kunyika yeKenani.

31:19b.GEN.031.019 Zvino Rabhani akanga aenda kundoveura makushe amakwai ake; Rakeri akaba chifananidzo chainamatwa chababa vake.

31:20b.GEN.031.020 Jakobho akanyengedzera Rabhani, muAramu, nokuti haana kumuudza kuti ndotiza.

31:21b.GEN.031.021 Naizvozvo akatiza nezvose zvaakanga anazvo; akasimuka, akayambuka Rwizi, akaringira kugomo reGiriadhi.

31:22b.GEN.031.022 Zvino nomusi wetatu Rabhani akaudzwa kuti Jakobho watiza.

31:23b.GEN.031.023 Iye akaenda nehama dzake, akamuteverera rwendo rwamazuva manomwe; akandomubata kugomo reGiriadhi.

31:24b.GEN.031.024 Mwari akauya kuna Rabhani, muAramu, pakurota usiku, akati kwaari, Chenjera, kuti urege kutaura kuna Jakobho chinhu, kana chakanaka kana chakaipa.

31:25b.GEN.031.025 Rabhani akasvika kuna Jakobho. Zvino Jakobho akanga adzika tende rake mugomo; Rabhani nehama dzake vakadzika matende avowo mugomo reGiriadhi.

31:26b.GEN.031.026 Zvino Rabhani akati kuna Jakobho, Waita seiko iwe, nokuti wandinyengedzera, ukaenda navakunda vangu vakaita savakatapwa nomunondo?

31:27b.GEN.031.027 Watizireiko pakavanda, ukandinyengedzera; wakaregerei kundiudza, ndikakutendera kuti uende nomufaro, nenziyo, nengoma, norudimbwa?

31:28b.GEN.031.028 Hauna kunditendera kuti nditsvode vanakomana vangu navakunda vangu. Zvino waita sebenzi.

31:29b.GEN.031.029 Ndine simba paruoko rwangu rokukuitira zvakaipa; asi Mwari wababa vako akataura neni usiku hwazuro, akati, Chenjera, kuti urege kutaura kuna Jakobho kana chakanaka kana chakaipa.

31:30b.GEN.031.030 Zvino, kana wakada kuenda hako, zvawakanga uchishuva zvikuru imba yababa vako, wagobireiko vamwari vangu?

31:31b.GEN.031.031 Jakobho akapindura, akati kuna Rabhani, Nokuti ndakanga ndichitya, nokuti ndakati, Zvimwe munganditorera vakunda venyu nesimba.

31:32b.GEN.031.032 Iye wamungawana ana vamwari venyu, ngaarege kurarama. Zvino hama dzedu dzichiriko, natsai kutsvaka zvinhu zvenyu zviri kwandiri, mugozvitora; nokuti Jakobho akanga asingazivi kuti Rakeri akanga azviba.

31:33b.GEN.031.033 Zvino Rabhani akapinda mutende raJakobho, nomutende raRea, nomutende ravarandakadzi vaviri, asi haana kuzviwana. Ipapo akabuda patende raRea, akapinda patende raRakeri.

31:34b.GEN.031.034 Zvino Rakeri akanga atora vamwari, akavaisa muchigaro chekamera, akagara pamusoro pazvo. Rabhani akabata-bata pose mutende, asi haana kuzviwana.

31:35b.GEN.031.035 Iye akati kuna baba vake, Ishe wangu ngaarege kutsamwa, nokuti handigoni kusimuka pamberi penyu; nokuti mutoo wavakadzi uri kwandiri. Iye akatsvakisisa, asi haana kuwana vamwari.

31:36b.GEN.031.036 Zvino Jakobho akatsamwa, akapopotera Rabhani; Jakobho akapindura akati kuna Rabhani, Kudarika kwangu ndokweiko? Ko kutadza kwangu ndokwei, zvamanditevera neshungu dzakadai?

31:37b.GEN.031.037 Zvino zvamabata-bata nhumbi dzangu dzose, magowaneiko panhumbi dzose zvokumba kwenyu? Zviisei pano pamberi pehama dzangu nedzenyu, vatonge pakati pedu isu vaviri.

31:38b.GEN.031.038 Ndakagara nemi makore aya makumi maviri; matunzvi enyu amakwai nenhunzvi dzenyu dzembudzi hazvina kusvodza, makondohwe enyu amakwai handina kuadya.

31:39b.GEN.031.039 Zvakarumwa nezvikara handina kuuya nazvo kwamuri; asi ndakazviripa ini; makazvireva pamaoko angu, kana zvakabiwa masikati, kana zvakabiwa usiku.

31:40b.GEN.031.040 Masikati ndakafa nezuva, usiku nechando; hope dzangu dzikabva kumeso angu.

31:41b.GEN.031.041 Makore aya makumi maviri ndakagara mumba menyu; ndakakubatirai makore ane gumi namana pamusoro pavakunda venyu vaviri, namakore matanhatu pamusoro pezvipfuwo zvenyu; mukashandura mubayiro wangu kagumi.

31:42b.GEN.031.042 Dai Mwari wababa vangu, Mwari waAbhurahamu, iye wakatyiwa naIsaka, asaiva neni, zvirokwazvo mungadai maindiendesa ndisina chinhu. Mwari akaona kutambudzika kwangu namabasa amaoko angu, akakurairai usiku hwazuro.

31:43b.GEN.031.043 Rabhani akapindura, akati kuna Jakobho, Vakunda ava vakunda vangu; vana ava vana vangu; zvipfuwo izvi zvipfuwo zvangu, nezvose zvaunoona ndezvangu; nhasi ndingaitei kuvakunda vangu ava, kana vana vavo vavakazvara?

31:44b.GEN.031.044 Uya zvino ngatiite sungano, ini newe; chive chapupu pakati pangu newe.

31:45b.GEN.031.045 Jakobho akatora ibwe, akarimisa, rikava shongwe.

31:46b.GEN.031.046 Jakobho akati kuhama dzake, Unganidzai mabwe; ivo vakatora mabwe, vakaita murwi; vakadya ipapo pamurwi.

31:47b.GEN.031.047 Rabhani akautumidza Jegarisahadhuta; asi Jakobho akautumidza Garidhi.

31:48b.GEN.031.048 Rabhani akati, Murwi uyu ngachive chapupu pakati pangu newe zuva ranhasi. Naizvozvo akatumidzwa zita rinonzi Garidhi,

31:49b.GEN.031.049 uyewo Mizipa, nokuti akati, Jehovha ngaarinde pakati pangu newe, kana tisingaonani.

31:50b.GEN.031.050 Kana ukazotambudza vakunda vangu, kana kuwana vamwe vakadzi kunze kwavakunda vangu, hakuna munhu achava nesu; asi tarira, Mwari ndicho chapupu pakati pangu newe.

31:51b.GEN.031.051 Zvino Rabhani akati kuna Jakobho, Tarira murwi uyu, tarira shongwe iyi, yandakamisa pakati pangu newe.

31:52b.GEN.031.052 Murwi uyu chichava chapupu, neshongwe iyi chichava chapupu, kuti ini handingapfuuri murwi uyu, neshongwe iyi, ndichienda kwauri, kuti tiitirane zvakaipa.

31:53b.GEN.031.053 Mwari waAbhurahamu, Mwari waNahori, Mwari wababa vavo, ngaatonge pakati pedu. Jakobho akapika naiye waityiwa naIsaka, baba vake.

31:54b.GEN.031.054 Ipapo Jakobho akabayira chibayiro mugomo; akakoka hama dzake kuti vadye zvokudya; vakadya zvokudya, vakavata usiku mugomo.

31:55b.GEN.031.055 Rabhani akamuka mangwanani, akatsvoda vanakomana vake navakunda vake, akavaropafadza; Rabhani akabva, akadzokera kumusha kwake.

32

32:1b.GEN.032.001 Zvino Jakobho akaenda nenzira yake, vatumwa vaMwari ndokusangana naye.

32:2b.GEN.032.002 Akati achivaona, Jakobho akati, Ihondo yaMwari; akatumidza nzvimbo iyoyo zita rinonzi Mahanaimi.

32:3b.GEN.032.003 Zvino Jakobho akatuma nhume pamberi pake kuna Esau, mukuru wake, kunyika yeSeiri, munyika yeEdhomu.

32:4b.GEN.032.004 Akavaraira, akati, Taurai nashe wangu, Esau, muti, Zvanzi nomuranda wenyu Jakobho, ndakanga ndiri mutorwa kuna Rabhani, ndikagarako kusvikira zvino;

32:5b.GEN.032.005 ndine mombe, nembongoro, namakwai, navaranda, navarandakadzi; ndatuma vanhu kuzoudza ishe wangu izvozvi, kuti ndiwane nyasha pamberi penyu.

32:6b.GEN.032.006 Nhume dzikadzokera kuna Jakobho, dzikati, Takandosvika kumukuru wenyu Esau; naiye anouya kuzosangana nemi ana varume vana mazana mana.

32:7b.GEN.032.007 Jakobho akatya kwazvo, akatambudzika; akaparadzanisa vanhu vaakanga anavo, namakwai nemombe namakamera, akaita mapoka maviri;

32:8b.GEN.032.008 akati, Kana Esau akasvika kune rimwe boka, akariparadza, boka rakasara ringatiza.

32:9b.GEN.032.009 Zvino Jakobho akati, imwi, Mwari wababa vangu Abhurahamu, naMwari wababa vangu Isaka; imwi Jehovha, ndimwi makati kwandiri, Dzokera kunyika yako, nokuhama dzako, ndigokuitira zvakanaka;

32:10b.GEN.032.010 handina kufanirwa nenyasha dzenyu dzose nokutendeka kwenyu kwose kwamakaitira muranda wenyu; nokuti ndakayambuka Jorodhani urwu netsvimbo yangu yoga; zvino ndava mapoka maviri.

32:11b.GEN.032.011 Dondirwirai paruoko rwomukuru wangu, paruoko rwaEsau; nokuti ndinomutya, kuti achauya akandiparadza ini, namai, pamwechete navana.

32:12b.GEN.032.012 Ndimwi makati, Zvirokwazvo ndichakuitira zvakanaka, ndichaitawo rudzi rwako sejecha regungwa, risingagoni kuverengwa nokuwanda kwaro.

32:13b.GEN.032.013 Akavatapo usiku ihwohwo; akatora zvimwe kune zvaakanga anazvo, kuti chive chipo kuna Esau, mukuru wake;

32:14b.GEN.032.014 zvaiti: Nhunzvi dzembudzi dzina mazana maviri, nenhongo dzina makumi maviri, namatunzvi amakwai ana mazana maviri, namakondohwe ana makumi maviri,

32:15b.GEN.032.015 namakamera anokamwa ana makumi matatu nemhuru dzawo, nemhou dzemombe dzina makumi mana, nehando dzemombe dzine gumi, namakadzi embongoro ana makumi maviri, nemhuru dzine gumi.

32:16b.GEN.032.016 Akazvipa mumaoko avaranda vake, boka rimwe nerimwe riri roga; akati kuvaranda vake, Yambukai pamberi pangu, musiye runhambo pakati peboka rimwe nerimwe.

32:17b.GEN.032.017 Akaraira wokutanga, akati, Kana Esau, mukuru wangu, akasangana newe, akabvunza, achiti, Uri munhu waaniko? Unoendepiko? Izvi zviri pamberi pako ndezvaani?

32:18b.GEN.032.018 Uti, Ndezvomuranda wenyu Jakobho; chipo chakatumirwa ishe wangu Esau; tarirai, naiye ari kumashure kweduwo;

32:19b.GEN.032.019 akarairawo wechipiri newechitatu, navose vakanga vachitevera mapoka, akati, Kana mukamuwana Esau, mutaure kwaari muchidaro;

32:20b.GEN.032.020 muti, Tarirai, naiye muranda wenyu Jakobho ari mumashure medu. Nokuti akati, Ndichambomunyaradza nechipo chinonditungamirira, ndigoti ndoona chiso chake; zvimwe achandigamuchira.

32:21b.GEN.032.021 Naizvozvo chipo chakayambutswa mberi kwake; asi iye pachake akavata usiku ihwohwo pakati peungano.

32:22b.GEN.032.022 Zvino akamuka usiku ihwohwo, akatora vakadzi vake vaviri navarandakadzi vake vaviri, navana vake vane gumi nomumwe, akayambuka pazambuko raJakobho.

32:23b.GEN.032.023 Akavatora, akavayambutsa parukova, akayambutsawo zvaakanga anazvo.

32:24b.GEN.032.024 Asi Jakobho akasara ari oga; mumwe murume akaita mutsimba naye kusvikira utonga huchitsvuka.

32:25b.GEN.032.025 Zvino akati achiona kuti haagoni kumukunda, akamubata pahudyu, hudyu ikatyoka nemitsimba naye.

32:26b.GEN.032.026 Iye akati, Chindirega ndiende, nokuti utonga hwotsvuka. Iye akati, Handingakuregei kuti muende, musati mandiropafadza.

32:27b.GEN.032.027 Akati kwaari, Zita rako ndianiko? Iye akati, Jakobho.

32:28b.GEN.032.028 Akati, Zita rako harichazonzi Jakobho, asi Isiraeri; nokuti wakarwa naMwari navanhu, ukakunda.

32:29b.GEN.032.029 Jakobho akamubvunza, akati, Ndiudzeiwo zita renyu. Iye akati, Unondibvunzireiko zita rangu? Akamuropafadza ipapo.

32:30b.GEN.032.030 Zvino Jakobho akatumidza nzvimbo iyoyo zita rinonzi Penieri; nokuti akati, Ndakaonana naMwari, upenyu hwangu hukachengetwa.

32:31b.GEN.032.031 Zuva rikamubudira achipfuura napaPenieri; akakamhina pahudyu yake.

32:32b.GEN.032.032 Naizvozvo vana vaIsiraeri havadyi nanhasi runda rehudyu riri papfupa rehudyu; nokuti akabata hudyu yaJakobho parunda rehudyu.

33

33:1b.GEN.033.001 Zvino Jakobho akasimudza meso ake, akatarira, akaona Esau achiuya ana varume vana mazana mana. Akagovera vana kuna Rakeri naRea navarandakadzi vaviri.

33:2b.GEN.033.002 Akaisa varandakadzi navana vavo mberi, Rea navana vake shure kwavo, naRakeri naJosefa pakupedzisira.

33:3b.GEN.033.003 Iye pachake akapfuura achivatungamirira, akakotamira pasi kanomwe, kusvikira aswedera pedo nomukuru wake.

33:4b.GEN.033.004 Ipapo Esau akamhanyira kundosangana naye, akamumbundikira, akawira pamutsipa wake, ndokumutsvoda; vakachema vose.

33:5b.GEN.033.005 Akasimudza meso ake, akaona vakadzi navana, akati, Ava vaunavo ndivanani? Iye akati, Ndivo vana vakapiwa muranda wenyu naMwari nenyasha dzake.

33:6b.GEN.033.006 Varandakadzi vakaswedera, ivo navana vavo, vakakotama.

33:7b.GEN.033.007 NaRea navana vake vakaswederawo, vakakotama; pashure Josefa naRakeri vakaswedera, vakakotama.

33:8b.GEN.033.008 Akati, Ko boka iri rose randasangana naro ndereiko? Iye akati, Kuti ndiwane nyasha kuna ishe wangu.

33:9b.GEN.033.009 Esau akati, Ini ndine zvizhinji, munununa wangu; izvo zvaunazvo, ngazvive zvako.

33:10b.GEN.033.010 Jakobho akati, Kwete,kana ndawana nyasha kwamuri zvino, ndinokumbira kuti mugamuchire chipo changu paruoko rwangu; nokuti ndaona chiso chenyu, chikaita sechiso chaMwari, mukafara neni.

33:11b.GEN.033.011 Gamuchirai henyu chipo changu chamunopiwa; nokuti Mwari akandiitira nyasha, ndine zvizhinji. Akamugwaririra, akazochitora.

33:12b.GEN.033.012 Akati, Ngatipfuure hedu parwendo rwedu, tiende, ini ndichakutungamirira.

33:13b.GEN.033.013 Iye akati kwaari, Ishe wangu anoziva kuti vana vachiri vaduku, uye kuti makwai nemombe zvandinazvo zvinoyamwisa; kana vakazvitinhisa zuva rimwe, zvipfuwo zvose zvichafa.

33:14b.GEN.033.014 Ishe wangu ngaapinde hake mberi kwomuranda wake; ini ndichanyatsozvisesedza sezvazvinogona kufamba, izvo zvipfuwo zviri pamberi pangu, navana sezvavanogona kufamba, kudzimara ndasvika kuna ishe wangu paSeiri.

33:15b.GEN.033.015 Esau akati, Zvino ngandisiye kwauri vamwe vanhu vandinavo. Iye akati, Muchaitireiko kudaro? Ndiwane hangu nyasha kuna ishe wangu.

33:16b.GEN.033.016 Naizvozvo Esau akadzoka zuva iroro, akaenda Seiri.

33:17b.GEN.033.017 Asi Jakobho akaenda Sukoti, akazvivakira imba, akaitira zvipfuwo zvake matanga; naizvozvo zita renzvimbo iyoyo rakanzi Sukoti.

33:18b.GEN.033.018 Jakobho akasvika zvakanaka kuguta reShekemu, riri panyika yeKenani, pakubva kwake paPadhanaramu; akadzika matende ake pakatarisana neguta.

33:19b.GEN.033.019 Akatenga rutivi rwenyika, paakanga apetenura tende rake, kuvana vaHamori, baba vaShekemu, nezana remari.

33:20b.GEN.033.020 Akavakapo aritari, akaritumidza zita rinonzi ErieroheIsiraeri.

34

34:1b.GEN.034.001 Zvino Dhina, mwanasikana waRea, waakaberekera Jakobho, akabuda kundoona vakunda venyika iyoyo.

34:2b.GEN.034.002 Ipapo Shekemu, mwanakomana waHamori, muHivhi, muchinda wenyika, akamuona; akamutora, akavata naye, akamunyadza.

34:3b.GEN.034.003 Mweya wake ukanamatira Dhina, mukunda waJakobho, akamuda musikana uyo, akataura zvakafadza moyo womusikana.

34:4b.GEN.034.004 Zvino Shekemu akataura nababa vake, Hamori akati, Nditorerei musikana uyo, ave mukadzi wangu.

34:5b.GEN.034.005 Zvino Jakobho akanzwa kuti akachinyira Dhina, mukunda wake; vanakomana vake vakanga vari kuzvipfuwo zvake kusango, Jakobho akanyarara hake kusvikira vauya.

34:6b.GEN.034.006 Hamori, baba vaShekemu, vakaenda kuna Jakobho kundotaurirana naye.

34:7b.GEN.034.007 Vakati vachinzwa izvozvo vanakomana vaJakobho vakauya vachibva kusango; zvino varume ava vakanga vane shungu kwazvo, vakatsamwa zvikuru, nokuti akanga aita chinhu chakaipa kwazvo pakati pavaIsiraeri kuti avate nomukunda waJakobho; chinhu icho chakanga chisingafaniri kuitwa.

34:8b.GEN.034.008 Zvino Hamori akataurirana navo, akati, Mweya womwanakomana wangu, Shekemu, unoshuva mukunda wenyu; domupai henyu iye, ave mukadzi wake.

34:9b.GEN.034.009 Wananai henyu nesu, tipei vakunda venyu, mugotora vakunda vedu.

34:10b.GEN.034.010 Garai henyu nesu, nyika ichava pamberi penyu; garaimo, mushambadzire, muzviunganidziremo fuma.

34:11b.GEN.034.011 Ipapo Shekemu akati kuna baba vake nokuhanzvadzi dzake, Ndiwane hangu nyasha kwamuri; zvamunoreva kwandiri, ndichakupai.

34:12b.GEN.034.012 Kumbirai henyu kwandiri roora guru nechipo chikuru; zvamunoreva kwandiri ndichakupai; asi ndipei musikana ave mukadzi wangu.

34:13b.GEN.034.013 Ipapo vana vaJakobho vakapindura Shekemu naHamori, baba vake, nokunyengera, vakataura nokuti akanga achinyira hanzvadzi yavo Dhina,

34:14b.GEN.034.014 vakati kwavari, Hatingagoni kuita chinhu ichi, kuti tipe munhu asina kudzingiswa hanzvadzi yedu, nokuti izvozvi zvingatinyadza;

34:15b.GEN.034.015 tingatenderana nemi kwoga kana mukaita chinhu ichi, kuti muve sesu, murume mumwe nomumwe ari kwamuri adzingiswe;

34:16b.GEN.034.016 ipapo isu tichakupai vakunda vedu, nesuo tichatora vakunda venyu; tigare nemi, tive savanhu vamwe.

34:17b.GEN.034.017 Kana musingatitereri, kuti mudzingiswe, tichatora mukunda wedu, tikabva.

34:18b.GEN.034.018 Mashoko avo akafadza Hamori naShekemu, mwanakomana waHamori.

34:19b.GEN.034.019 Jaya harina kunonoka kuita chinhu ichocho, nokuti akanga achifarira mukunda waJakobho; naiye akanga achikudzwa kupfuura vose veimba yose yababa vake.

34:20b.GEN.034.020 Zvino Hamori naShekemu, mwanakomana wake, vakauya kusuo reguta ravo, vakataurirana navanhu veguta ravo vakati,

34:21b.GEN.034.021 Vanhu ava vane rugare nesu; naizvozvo ngavagare havo munyika ino, vashambadziremo; nokuti tarirai nyika inovaringana; ngatitore vakunda vavo vave vakadzi vedu, nesu tivape vakunda vedu.

34:22b.GEN.034.022 Asi vanhu ava vachatenderana nesu kugara nesu, nokuita savanhu vamwe nesu, kwoga kana tichiita chinhu ichi, kuti varume vose kwatiri vadzingiswe, sezvavakadzingiswa ivo.

34:23b.GEN.034.023 Ko mombe dzavo, nefuma yavo, nezvipfuwo zvavo zvose hazvichavi zvedu here? Ngatitenderane navo kwoga, vagogara nesu.

34:24b.GEN.034.024 Zvino vose vaibuda pasuo reguta rake vakateerera Hamori, naShekemu, mwanakomana wake; ipapo varume vose vakadzingiswa, vose vaibuda pasuo reguta rake.

34:25b.GEN.034.025 Zvino pazuva retatu, vachiri pakurwadziwa, vanakomana vaviri vaJakobho, Simiyoni naRevhi, hanzvadzi dzaDhina, vakatora mumwe nomumwe munondo wake, vakapinda muguta vanhu vasingarindiri, vakauraya varume vose.

34:26b.GEN.034.026 Vakauraya Hamori naShekemu, mwanakomana wake, neminondo inopinza, vakatora Dhina mumba maShekemu, vakaenda.

34:27b.GEN.034.027 Vanakomana vaJakobho vakaenda kune vakauraiwa, vakapamba guta, nemhaka yokuti vakanga vachinyira hanzvadzi yavo.

34:28b.GEN.034.028 Vakatora makwai avo, nemombe dzavo, nembongoro dzavo, nezvakanga zviri muguta, nezvakanga zviri kusango;

34:29b.GEN.034.029 vakatapa fuma yavo yose, navana vavo vaduku, navakadzi vavo, vakazviita mhambara, nezvinhu zvose zvakanga zviri mudzimba.

34:30b.GEN.034.030 Ipapo Jakobho akati kuna Simeoni naRevhi, Manditorera mufaro, zvamandinhuwisa pakati pavanhu vanogara munyika ino, pakati pavaKenani navaPerezi; ini zvandiine vanhu vashoma, vachandiunganira, vakandiuraya; ndichaparadzwa ini neveimba yangu.

34:31b.GEN.034.031 Ivo vakati, Iye agoitireiko nehanzvadzi yedu sezvinoitwa nechifeve?

35

35:1b.GEN.035.001 Zvino Mwari akati kuna Jakobho, Simuka, ukwire Bheteri, undogara ikoko; uitire Mwari aritari ipapo, iye akazviratidza kwauri panguva yokutiza kwako pamberi paEsau, mukuru wako.

35:2b.GEN.035.002 Ipapo Jakobho akati kumhuri yake, navose vakanga vanaye, Bvisai vamwari vedzimwe ndudzi vari pakati penyu, zvinatsei, mufuke dzimwe nguvo;

35:3b.GEN.035.003 tisimuke, tikwire Bheteri; ipapo ndichaitira Mwari aritari, iye akanga aneni panzira yandakanga ndichifamba nayo.

35:4b.GEN.035.004 Ivo vakapa Jakobho vamwari vose vedzimwe ndudzi vakanga vari pamaoko avo, nezvindori zvakanga zviri panzeve dzavo; Jakobho akazvicherera pasi pomuti womuouki wakanga uri paShekemu.

35:5b.GEN.035.005 Vakapfuura norwendo rwavo, maguta akanga akavakomba akatya Mwari kwazvo, vakasateverera vanakomana vaJakobho.

35:6b.GEN.035.006 Jakobho akasvika Ruzi, guta riri panyika yeKenani (rimwe zita ndiBheteri), iye navanhu vose vaakanga anavo.

35:7b.GEN.035.007 Akavakapo aritari, akatumidza zita renzvimbo iyoyo kuti Eribheteri; nokuti Mwari akanga azviratidza kwaari ipapo, panguva yokutiza kwake pamberi pomukuru wake.

35:8b.GEN.035.008 Debhora, mureri waRabheka, akafa, akavigwa zasi kweBheteri munyasi momuouki; zita rapo rikanzi Aronibhakuti.

35:9b.GEN.035.009 Ipapo Mwari akazviratidzazve kuna Jakobho pakubva kwake Padhanaramu, akamuropafadza.

35:10b.GEN.035.010 Mwari akati kwaari, Zita rako ndiJakobho, zita rako harichazonzi Jakobho, asi zita rako richanzi Isiraeri; akamutumidza zita rinonzi Isiraeri.

35:11b.GEN.035.011 Zvino Mwari akati kwaari, Ndini Mwari Wamasimbaose; bereka vana, uwande; rudzi neboka rendudzi zvichabuda kwauri, namadzishe achabuda pachiuno chako;

35:12b.GEN.035.012 nyika yandakapa Abhurahamu naIsaka, ndichakupa iyoyo; vana vako vanokutevera ndichavapa nyika iyoyo.

35:13b.GEN.035.013 Mwari akakwira, akabva kwaari, ipapo paakanga achitaura naye.

35:14b.GEN.035.014 Jakobho akamisa shongwe ipapo paakanga ataura naye, shongwe yebwe; akadurura pamusoro payo chipiriso chinodururwa, akadirawo mafuta pamusoro payo.

35:15b.GEN.035.015 Jakobho akatumidza nzvimbo iyoyo, pakanga pataura Mwari naye, zita rinonzi Bheteri.

35:16b.GEN.035.016 Zvino vakafamba vachibva Bheteri; chinhambo chakanga chichipo chokusvika Efurata; Rakeri akazvara, akatambudzika pakupona kwake.

35:17b.GEN.035.017 Akati achitambudzika pakupona kwake, mbuya vakati kwaari, Usatya hako, nokuti zvino uchava nomumwe mwanakomanazve.

35:18b.GEN.035.018 Zvino mweya wake wakati uchibuda (nokuti wakafa), akamutumidza Bhenoni; asi baba vake vakamutumidza Bhenjamini.

35:19b.GEN.035.019 Rakeri akafa, akavigwa panzira inoenda Efurata (rimwe zita ndiBheterehemu).

35:20b.GEN.035.020 Jakobho akamisa shongwe pamusoro perinda rake, ndiyo shongwe yerinda raRakeri kusvikira zuva ranhasi.

35:21b.GEN.035.021 Isiraeri akafamba, akapfuurira mberi, akadzika tende rake neseri kweshongwe yeEdheri.

35:22b.GEN.035.022 Zvino Isiraeri agere munyika iyoyo, Rubheni akandovata naBhiriha, murongo wababa vake, Isiraeri akazvinzwa. Zvino vanakomana vaJakobho vaiva gumi navaviri;

35:23b.GEN.035.023 vanakomana vaRea: Rubheni, dangwe raJakobho, naSimiyoni, naRevhi, naJudha, nalsakari, naZebhuroni;

35:24b.GEN.035.024 vanakomana vaRakeri: Josefa naBhenjamini;

35:25b.GEN.035.025 vanakomana vaBhiriha, murandakadzi waRakeri: Dhani naNafutari;

35:26b.GEN.035.026 vanakomana vaZiripa, murandakadzi waRea: Gadhi naAsheri. Ndivo vanakomana vaJakobho, vaakazvarirwa paPadhanaramu.

35:27b.GEN.035.027 Jakobho akasvika kuna Isaka, baba vake paMamure, paKiriyatiabha (rimwe zita ndiHebhuroni), paigara Abhurahamu naIsaka vari vatorwa.

35:28b.GEN.035.028 Mazuva aIsaka akanga ari makore ane zana namakumi masere.

35:29b.GEN.035.029 Mweya waIsaka ukabuda, akafa, akasanganiswa navanhu vake, akwegura, ava namazuva mazhinji; Esau naJakobho, vanakomana vake, vakamuviga.

36

36:1b.GEN.036.001 Ndiwo marudzi aEsau (rimwe zita ndiEdhomu):

36:2b.GEN.036.002 Esau akawana vakadzi vake kuvakunda veKenani, vaiti: Adha, mukunda waEroni, muHeti, naHoribhama, mukunda waAna, mukunda waZibhioni, muHivhi;

36:3b.GEN.036.003 naBhasimati, mukunda waIshimaeri, hanzvadzi yaNebhayoti.

36:4b.GEN.036.004 Adha akabereka Esau Erifazi; Bhasimati akabereka Rueri;

36:5b.GEN.036.005 Ohoribhama akabereka Jeushi, naJarami, naKora; ndivo vanakomana vaEsau, vaakaberekerwa panyika yeKenani.

36:6b.GEN.036.006 Zvino Esau akatora vakadzi vake, navanakomana vake, navakunda vake, navanhu vose veimba yake, nezvipfuwo zvake, nemombe dzake dzose, nefuma yake yose yaakanga aunganidza munyika yeKenani, akaenda kunyika iri kure nomunununa wake Jakobho.

36:7b.GEN.036.007 Nokuti fuma yavo yakanga yawanda, naizvozvo vakanga vasingagoni kugara panzvimbo imwe; nyika youtorwa hwavo yakanga isingavaringani nokuda kwezvipfuwo zvavo.

36:8b.GEN.036.008 Esau akandogara kugomo reSeiri; Esau ndiye Edhomu.

36:9b.GEN.036.009 Marudzi aEsau, baba vavaEdhomu, kugomo reSeiri, ndiwo:

36:10b.GEN.036.010 Mazita avanakomana vaEsau ndiwo: Erifazi, mwanakomana waAdha, mukadzi waEsau, naRueri, mwanakomana waBhasimati, mukadzi waEsau.

36:11b.GEN.036.011 Vanakomana vaErifazi vaiva Temani, naOmari, naZefo, naGatamu, naKenazi.

36:12b.GEN.036.012 Timuna akanga ari murongo waErifazi, mwanakomana waEsau; iye akaberekera Erifazi Amareki; ndivo vanakomana vaAdha, mukadzi waEsau.

36:13b.GEN.036.013 Vanakomana vaRueri ndivo: Nahati, naZera, naShama naMiza; ndivo vanakomana vaBhasimati, mukadzi waEsau.

36:14b.GEN.036.014 Vanakomana vaOhoribhama, mukunda waAna, mukunda waZibhioni, mukadzi waEsau, ndivo: iye akaberekera Esau Jeushi, naJarami, naKora.

36:15b.GEN.036.015 Ava ndivo madzishe pakati pavana vaEsau: Vanakomana vaErifazi, dangwe raEsau: Ishe Temani, nashe Omari, nashe Zefo, nashe Kenazi,

36:16b.GEN.036.016 nashe Kora, nashe Gatamu, nashe Amareki; ndiwo madzishe okwaErifazi munyika yeEdhomu; ndivo vanakomana vaAdha.

36:17b.GEN.036.017 Ava ndivo vanakomana vaRueri, mwanakomana waEsau: Ishe Nahati, nashe Zera, nashe Shama, nashe Miza; ndiwo madzishe okwaRueri munyika yeEdhomu; ndivo vanakomana vaBhasimati, mukadzi waEsau.

36:18b.GEN.036.018 Ava ndivo vanakomana vaOhoribhama, mukadzi waEsau: Ishe Jeushi, nashe Jarami, nashe Kora; ndiwo madzishe okwaOhoribhama, mukunda waAna, mukadzi waEsau.

36:19b.GEN.036.019 Ndivo vanakomana vaEsau, ndiwo madzishe avo. Ndiye Edhomu.

36:20b.GEN.036.020 Ndivo vanakomana vaSeiri, muHori, vaigara panyika iyo: Rotani, naShobharu, naZibhioni, naAna,

36:21b.GEN.036.021 naDhishoni, naEzeri, naDhishani; ndiwo madzishe okuvaHori, vanakomana vaSeiri munyika yeEdhomu.

36:22b.GEN.036.022 Vanakomana vaRotani, vaiva Hori, naHemani; hanzvadzi yaRotani aiva Timuna.

36:23b.GEN.036.023 Ava ndivo vanakomana vaShobharu: Avhani, naManahati, naEbhari, naShefo, naOnamu.

36:24b.GEN.036.024 Ava ndivo vanakomana vaZibhioni: Aja, naAna; ndiye Ana akawana matsime emvura inopisa kusango, achifudza mbongoro dzaZibhioni, baba vake.

36:25b.GEN.036.025 Ava ndivo vanakomana vaAna: Dhishoni, naOhoribhama, mukunda waAna.

36:26b.GEN.036.026 Ava ndivo vanakomana vaDhishoni: Hemudhani, naEshibhani, naIturani, naKerani.

36:27b.GEN.036.027 Ava ndivo vanakomana vaEzeri: Bhirihani, naZaavhani, naAkani.

36:28b.GEN.036.028 Ava ndivo vanakomana vaDhishani: Uzi naArani.

36:29b.GEN.036.029 Ava ndiwo madzishe okuvaHori: Ishe Rotani, nashe Shobharu, nashe Zibhioni, nashe Ana,

36:30b.GEN.036.030 nashe Dhishoni, nashe Ezeri, nashe Dhishani; ndiwo madzishe okuvaHori, namarudzi avo munyika yeSeiri.

36:31b.GEN.036.031 Ava ndivo madzimambo akabata ushe munyika yeEdhomu, vana vaIsiraeri vachigere kuva namadzimambo:

36:32b.GEN.036.032 Bhera, mwanakomana waBheori, akabata ushe paEdhomu; zita reguta rake rainzi Dhinihabha.

36:33b.GEN.036.033 Akafa, Jobhabhu, mwanakomana waZera weBhozara akabata ushe pachigaro chake.

36:34b.GEN.036.034 Jobhabhu akafa, Hushamu wenyika yavaTemani akabata ushe pachigaro chake.

36:35b.GEN.036.035 Hushamu akafa, Hadhadhi, mwanakomana waBhedhadhi, uya akauraya Midhiani kusango reMoabhu, akabata ushe pachigaro chake; zita reguta rake rainzi Avhiti.

36:36b.GEN.036.036 Hadhadhi akafa, Samura weMasereka akabata ushe pachigaro chake.

36:37b.GEN.036.037 Samura akafa, Shauri weRehobhoti paRwizi akabata ushe pachigaro chake.

36:38b.GEN.036.038 Shauri akafa, Bhaarihanani, mwanakomana waAkibhori akabata ushe pachigaro chake.

36:39b.GEN.036.039 Bhaarihanani, mwanakomana waAkibhori, akafa, Hadhari akabata ushe pachigaro chake; zita reguta rake rainzi Pau; zita romukadzi wake rainzi Mehetabheri, mukunda waMatiredhi, mukunda waMehazahadhi.

36:40b.GEN.036.040 Aya ndiwo mazita amadzishe okwaEsau, nedzimba dzavo, namaguta avo, namazita avo; Ishe Timuna, nashe Arivha, nashe Jeteti;

36:41b.GEN.036.041 nashe Ohoribhama, nashe Era, nashe Pinoni;

36:42b.GEN.036.042 nashe Kenazi, nashe Temani, nashe Mibhizari;

36:43b.GEN.036.043 nashe Magidhieri, nashe Iramu; ndiwo madzishe aEdhomu, pavakagara munyika yakanga iri yavo. Ndiye Esau, baba vaEdhomu.

37

37:1b.GEN.037.001 Zvino Jakobho akagara munyika youtorwa hwababa vake, munyika yeKenani.

37:2b.GEN.037.002 Marudzi aJakobho ndiwo: Josefa akanga ana makore ane gumi namanomwe, akafudza makwai pamwechete navakoma vake; akanga achiri mukomana pamwechete navanakomana vaBhiriha, navanakomana vaZiripa, vakadzi vababa vake; Josefa akasivaudzira kuna baba vavo.

37:3b.GEN.037.003 Zvino Isiraeri akanga achida Josefa kupfuura vana vake vose, nokuti akanga ari mwanakomana woutana hwake; akamuitira nguvo yakanga yakareba ina maoko.

37:4b.GEN.037.004 Vakoma vake vakaona kuti baba vavo vanomuda kupfuura vakoma vake vose; vakamuvenga, vakasagona kutaura naye nomufaro.

37:5b.GEN.037.005 Zvino Josefa akarota hope, akaudza vakoma vake, ipapo vakanyanya kumuvenga.

37:6b.GEN.037.006 Akati kwavari, Inzwaiwo hope dzangu dzandarota.

37:7b.GEN.037.007 Tarirai, takanga tichisunga zvisote mumunda, onei chisote changu chikasimuka, chikaramba chimire; ndikaona zvisote zvenyu zvichikomba changu, zvikakotama pamberi pechisote changu.

37:8b.GEN.037.008 Vakoma vake vakati kwaari, Ko iwe uchabata ushe pamusoro pedu kanhi? Ko iwe uchava nesimba pamusoro pedu kanhi? Vakanyanya kumuvenga nokuda kwokurota kwake nokwamashoko ake.

37:9b.GEN.037.009 Akapamha kurotazve, akaudza vakoma vake, akati, Tarirai, ndarotazve dzimwe hope; ndakaona zuva, nomwedzi, nenyeredzi dzine gumi neimwe, dzichikotamira pamberi pangu.

37:10b.GEN.037.010 Akaudza baba vake navakoma vake izvozvo; baba vake vakamutuka, vakati kwaari, Kurota kwako uku kwawarota kurota kunyi? Ini namai vako navakoma vako tichauya tikakotama pasi pamberi pako kanhi?

37:11b.GEN.037.011 Vakoma vake vakamugodora; asi baba vake vakachengeta shoko iro.

37:12b.GEN.037.012 Zvino vakoma vake vakandofudza makwai ababa vavo paShekemu.

37:13b.GEN.037.013 Isiraeri akati kuna Josefa, Vakoma vako havafudzi makwai paShekemu here? Uya ndikutumire kwavari. Iye akati, Ndiri pano hangu.

37:14b.GEN.037.014 Akati kwaari, Zvino chienda undotarira kana vakoma vako vakafara, namakwai kana akafarawo; ugodzoka kuzondiudza. Naizvozvo akamutuma, ari pamupata weHebhuroni, akandosvika Shekemu.

37:15b.GEN.037.015 Zvino mumwe murume akamuwana achidzungaira musango; murume akamubvunza, akati, Unotsvakeiko?

37:16b.GEN.037.016 Iye akati, Ndinotsvaka vakoma vangu; dondiudza hako kwavanofudza makwai.

37:17b.GEN.037.017 Murume akati, Vabva pano, nokuti ndakavanzwa vachiti, Ngatiende Dhotani. Josefa akatevera vakoma vake, akandovawana paDhotani.

37:18b.GEN.037.018 Ivo vakamuona achiri kure; zvino asati asvika kwavari, vakarangana kuti vamuuraye.

37:19b.GEN.037.019 Vakataurirana, vachiti, Hoyo muroti uya wauya.

37:20b.GEN.037.020 Uyai zvino timuuraye, timukandire mune rimwe ramakomba aya, tigoti, Wadyiwa nechikara; tigoona kuti kurota kwake kuchazoitwa seiko.

37:21b.GEN.037.021 Rubheni akazvinzwa, akamurwira mumaoko avo, akati, Ngatirege kumuuraya.

37:22b.GEN.037.022 Rubheni akati kwavari, Musadurura ropa; mukandirei mugomba iri riri musango, asi regai kutambanudza maoko enyu kwaari; kuti amurwire pamaoko avo, agomudzosera kuna baba vake.

37:23b.GEN.037.023 Zvino Josefa akati asvika kuvakoma vake, vakabvisira Josefa nguvo yake, nguvo iya yakanga yakareba ina maoko, yaakanga akafuka;

37:24b.GEN.037.024 vakamutora, vakamukandira mugomba; gomba rakanga risina chinhu, makanga musina mvura.

37:25b.GEN.037.025 Vakagara pasi, vakadya zvokudya; zvino vakasimudza meso avo, vakatarira, vakaona boka ravaIshimaeri vachifamba, vachibva Giriyadhi, makamera avo akatakura zvinhu zvinonhuwira, nebarisami, nemura, vachindozviisa Ijipiti.

37:26b.GEN.037.026 Zvino Judha akati kuvana vababa vake, Tingawaneiko kana tikauraya munununa wedu tichivanza ropa rake?

37:27b.GEN.037.027 Uyai timutengese kuvaIshimaeri; maoko edu arege kuva kwaari; nokuti munun una wedu, nyama imwe nesu. Vana vababa vake vakamuteerera.

37:28b.GEN.037.028 Zvino vatengesi vavaMidhiani vakapfuurapo, vakakwidza Josefa vachimubudisa mugomba, vakatengesa Josefa kuvaIshimaeri namashekeri ana makumi maviri; ivo vakaisa Josefa Ijipiti.

37:29b.GEN.037.029 Zvino Rubheni akadzokera kugomba, akawana Josefa asisimo mugomba; akabvarura nguvo dzake.

37:30b.GEN.037.030 Akadzokera kuvanununa vake, akati, Mwana haachipo; ini zvino ndichaendepiko?

37:31b.GEN.037.031 Zvino vakatora nguvo yaJosefa, vakauraya nhongo yembudzi, vakanyika nguvo muropa;

37:32b.GEN.037.032 vakatumira nguvo iyo yakareba ina mavoko kuna baba vavo, vakati, Tanonga chinhu ichi; fananidzai zvakanaka kana iri nguvo yomwanakomana wenyu, kana isati iri iyo.

37:33b.GEN.037.033 Ivo vakafananidza vakati, Inguvo yomwanakomana wangu; wadyiwa nechikara; Josefa zvirokwazvo waparadzwa.

37:34b.GEN.037.034 Jakobho akabvarura nguvo dzake, akasimira madhumbu pachiuno chake, akachema mwanakomana wake mazuva mazhinji.

37:35b.GEN.037.035 Vanakomana vake vose navakunda vake vose vakasimuka vakamunyaradza; asi akaramba kunyaradzwa, akati, Ndichaburukira kuhwiro kumwanakomana wangu, ndichichema. Baba vake vakamuwungudzira.

37:36b.GEN.037.036 Zvino vaMidhiani vakandomutengesa Ijipiti kuna Potifari, muranda waFarao, mukuru wavarindi.

38

38:1b.GEN.038.001 Nenguva iyoyo Judha akabva kuvana vababa vake, akaburuka, akatsaukira kuno mumwe murume muAdhuramu, ainzi Hira.

38:2b.GEN.038.002 Judha akaonapo mukunda womumwe munhu muKenani, ainzi Shua, akamutora, akapinda kwaari.

38:3b.GEN.038.003 Iye akava nemimba, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Eri.

38:4b.GEN.038.004 Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Onani.

38:5b.GEN.038.005 Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Shera; iye akanga ari paKezibhi mukadzi wake achimubereka.

38:6b.GEN.038.006 Zvino Judha akatorera dangwe rake Eri mukadzi ainzi Tamari.

38:7b.GEN.038.007 Asi dangwe raJudha, akanga ari munhu akaipa pamberi paJehovha; Jehovha akamuuraya.

38:8b.GEN.038.008 Zvino Judha akati kuna Onani, Pinda kumukadzi womukoma wako, umuwane, umuitire zvakafanira munununa womurume, umutsire mukoma wako vana.

38:9b.GEN.038.009 Zvino Onani akaziva kuti vana avo havangavi vake; naizvozvo wakati kana opinda kumukadzi womukoma wake, orasira mbeu pasi, kuti arege kupa mukoma wake vana.

38:10b.GEN.038.010 Chinhu ichi chaakaita chakanga chakaipa pamberi paJehovha; akamuuraya naiyewo.

38:11b.GEN.038.011 Ipapo Judha akati kuna Tamari, mukadzi womwana wake, Chigara hako uri chirikadzi paimba yababa vako, kusvikira Shera, mwanakomana wangu, akura; nokuti akati, Zvimwe angafa savakoma vake. Tamari akandogara kumba kwababa vake.

38:12b.GEN.038.012 Mazuva mazhinji akati apfuura, mukunda waShua, mukadzi waJudha, akafa; zvino Judha akati anyaradzwa, akakwira kuvaveuri vamakwai ake paTimuna, iye naHira, shamwari yake muAdhuramu.

38:13b.GEN.038.013 Tamari akaudzwa, zvichinzi, Tarira baba vomurume wako vanokwira Timuna kundoveura makwai avo;

38:14b.GEN.038.014 ipapo iye akabvisa nguvo dzouchirikadzi hwake, akazvifukidza nechokufukidzira chake, akazviputira, akagara pasuo reEnaimu, guta riri panzira inoenda Timuna; nokuti akanga aona kuti Shera akura, akasamupiwa iye kuti ave mukadzi wake.

38:15b.GEN.038.015 Zvino Judha akati achimuona, akati chifeve, nokuti akanga afukidza chiso chake.

38:16b.GEN.038.016 Akatsaukira kwaari panzira, akati, Douya, ndipinde kwauri; nokuti akanga asingazivi, kuti mukadzi womwanakomana wake. Iye akati, Unogondipeiko, kuti upinde kwandiri?

38:17b.GEN.038.017 Akati, Ndichakutumira mbudzana inobva kuzvipfuwo zvangu. Akati, Uchandipa rubatso kusvikira waituma here?

38:18b.GEN.038.018 Akati, Ndichagokupa rubatso rweiko? Iye akati, Chimhete chako, norwonzi rwako, netsvimbo yako iri paruoko rwako. Akamupa izvozvo, akapinda kwaari, akava nemimba naye.

38:19b.GEN.038.019 Akasimuka, akaenda, akabvisa chokufukidzira chake, akafuka nguvo dzouchirikadzi hwake.

38:20b.GEN.038.020 Zvino Judha akatuma mbudzana noruoko rweshamwari yake, muAdhuramu, kuti atore rubatso paruoko rwomukadzi, asi haana kumuwana.

38:21b.GEN.038.021 Akabvunza vanhu vokwake, achiti, Chiripiko chifeve chiya, chakanga chiri paEnaimu panzira? Vakati, Kwakanga kusina chifeve pano.

38:22b.GEN.038.022 Akadzokera kuna Judha, akati, Handina kumuwana; navanhu voko vakati, Kwakanga kusina chifeve pano.

38:23b.GEN.038.023 Ipapo Judha akati, Ngaazvitore hake, kuti tirege kunyadziswa; tarira ndatuma mbudzana iyi, iwe ukasamuwana.

38:24b.GEN.038.024 Zvino mwedzi inenge mitatu yakati yapfuura, Judha akaudzwa, zvichinzi, Tamari, mukadzi womwanakomana wako, akaita upombwe; wava nemimba noupombwe hwake. Judha akati, Uyai naye, apiswe.

38:25b.GEN.038.025 Zvino vakati vachiuya naye, akatuma shoko kuna baba vomurume wake, achiti, Ndine mimba nomurume ane nhumbi idzi, akati, Docherekedzai kuti izvi ndezvani, zvinoti, chimhete norwonzi, netsvimbo.

38:26b.GEN.038.026 Judha akazviziva, akati, Iye wakarurama kukunda ini, nokuti handina kumupa Shera, mwanakomana wangu. Haana kuzomuzivazve.

38:27b.GEN.038.027 Zvino nenguva yokubereka kwake vana vaviri vakanga vari mudumbu rake.

38:28b.GEN.038.028 Zvino akati achibereka, mumwe akabudisa ruoko; ipapo mbuya vakatora rwodzi rutsvuku, vakarusungira paruoko rwake, vachiti, Uyu atanga kubuda.

38:29b.GEN.038.029 Zvino uyu akati adzosera ruoko rwake, munununa wake akabuda; ivo vakati, Wazvipasanurira seiko? Naizvozvo akamutumidza zita rinonzi Perezi.

38:30b.GEN.038.030 Pashure mukoma wake akabuda, akanga aine rwodzi rutsvuku paruoko rwake; zita rake rikatumidzwa Zera.

39

39:1b.GEN.039.001 Josefa akanga aburutsirwa Ijipiti; Potifari, gota raFarao, mukuru wavarindi, muIjipiti, akamutenga pamaoko avaIshimaeri, vakanga vamuburutsira Ijipiti.

39:2b.GEN.039.002 Jehovha zvino akanga ana Josefa, akaramba achikwirira; akagara mumba matenzi wake muljipiti.

39:3b.GEN.039.003 Tenzi wake akaona kuti Jehovha anaye, uye kuti Jehovha akafambisa zvakanaka zvose zvaaiita namaoko ake.

39:4b.GEN.039.004 Josefa akawana nyasha kwaari, akamubatira; iye akamuita mutariri weimba yake; zvose zvaakanga anazvo akazviisa pamaoko ake.

39:5b.GEN.039.005 Zvino kubva pakuitwa kwake mutariri weimba yake nowazvose zvaakanga anazvo, Jehovha akaropafadza imba yomuIjipiti nokuda kwaJosefa; kuropafadza kwaJehovha kwakanga kuri pamusoro pezvose zvaakanga anazvo mumba nokumunda.

39:6b.GEN.039.006 Waisiya zvose zvaakanga anazvo pamaoko aJosefa; iye anaye, haazairangarira chinhu, asi zvokudya zvake zvoga zvaaidya. Zvino Josefa akanga anomuviri wakanaka, akanakawo pachiso.

39:7b.GEN.039.007 Zvino shure kwaizvozvo mukadzi watenzi wake akatarira Josefa, akati, Vata neni.

39:8b.GEN.039.008 Asi iye akaramba, akati kumukadzi watenzi wake, Tarirai, nokuda kwangu tenzi wangu haarangariri zviri mumba, asi akaisa zvose zvaanazvo pamaoko angu;

39:9b.GEN.039.009 hakuna mukuru kwandiri paimba ino; haana kundidzivisa chinhu, asi imwi moga; nokuti muri mukadzi wake; zvino ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?

39:10b.GEN.039.010 Zvino akati ataura naJosefa mazuva ose, iye asingamuteereri kuti avate naye, kana kuva naye,

39:11b.GEN.039.011 nenguva iyoyo akapinda mumba kuti abate basa rake; makanga musina vamwe varume veimba imomo.

39:12b.GEN.039.012 Ipapo akamubata nguvo yake, akati, Vata neni; iye akasiya nguvo yake muruoko rwake, akabuda panze.

39:13b.GEN.039.013 Zvino akati achiona kuti asiya nguvo yake muruoko rwake, atiza, aenda,

39:14b.GEN.039.014 akadana varume veimba yake, akataura navo akati, Tarirai, iye akauyisa muHebheru pakati pedu kuti atidadire; akapinda kwandiri, kuti avate neni, ndikaridza mhere neinzwi guru.

39:15b.GEN.039.015 Zvino akati achinzwa kuti ndinodanidzirisa ndichiridza mhere, akasiya nguvo yake neni, akatiza, akabuda panze.

39:16b.GEN.039.016 Akachengeta nguvo yake kusvikira tenzi wake achipinda mumba.

39:17b.GEN.039.017 Akataura kwaari mashoko iwayo akati, Muranda muHebheru wawakaisa pakati pedu, akauya kwandiri kuti andidadire.

39:18b.GEN.039.018 Ndikadanidzirisa, ndikaridza mhere, akasiya nguvo yake neni, akatizira panze.

39:19b.GEN.039.019 Tenzi wake akati achinzwa mashoko aakaudzwa nomukadzi wake, achiti, Ndizvo zvandaitirwa nomuranda wako, hasha dzake dzikamuka.

39:20b.GEN.039.020 Tenzi waJosefa akamutora, akamupinza mutorongo, paisungwa vasungwa vamambo; akava mutorongo.

39:21b.GEN.039.021 Asi Jehovha akava naJosefa, akamuitira tsitsi, kuti anzwirwe ngoni nomutariri wetorongo.

39:22b.GEN.039.022 Mutariri wetorongo akapa mumaoko aJosefa vasungwa vose vakanga vari mutorongo; iye akanga ari muiti wezvose zvaiitwamo.

39:23b.GEN.039.023 Mutariri wetorongo akanga asina hanya nechinhu chakanga chiri pamaoko ake, nokuti Jehovha akanga anaye; zvose zvaaiita, Jehovha akazviruramisa.

40

40:1b.GEN.040.001 Shure kwaizvozvo mudiri wamambo weIjipiti nomubiki wake vakatadzira tenzi wavo, mambo weljipiti.

40:2b.GEN.040.002 Farao akatsamwira kwazvo varanda vake vaviri, ivo mukuru wavadiri nomukuru wavabiki.

40:3b.GEN.040.003 Akavasunga kuti vachengetwe mumba momukuru wavarindi, mutorongo, pakanga pakasungwa Josefa.

40:4b.GEN.040.004 Mukuru wavarindi akaraira Josefa kuvachengeta; iye akavabatira, vakaita nguva vachichengetwa.

40:5b.GEN.040.005 Zvino vose vaviri vakarota hope usiku humwe, mumwe nomumwe kurota kwake, kurota kumwe nokumwe kune dudziro yako, ivo mudiri nomubiki vamambo weIjipiti, vakanga vakasungwa mutorongo.

40:6b.GEN.040.006 Zvino fume mangwana Josefa akapinda kwavari, akavatarira, akaona kuti havafari.

40:7b.GEN.040.007 Akabvunza varanda vaFarao vakanga vachengetwa pamwechete naye mumba matenzi wake, akati, Nhasi makasuwa neiko?

40:8b.GEN.040.008 Vakati kwaari, Tarota hope, asi hakuna munhu anogona kudzidudzira. Josefa akati kwavari, Kududzira hakuzi kwaMwari here? Dondirondedzerai henyu.

40:9b.GEN.040.009 Zvino mukuru wavadiri akarondedzera kurota kwake kuna Josefa, akati, kwaari, Pakurota kwangu ndakaona muzambiringa pamberi pangu; pamuzambiringa pakanga pana matavi matatu;

40:10b.GEN.040.010 ukaita sokutumbuka, ukabudisa maruva; masumbu awo akabereka mazambiringa akaibva;

40:11b.GEN.040.011 mukombe waFarao wakanga uri muruoko rwangu; zvino ndikatora mazambiringa, ndikaasvinira mumukombe waFarao, ndikaisa mukombe muruoko rwaFarao.

40:12b.GEN.040.012 Josefa akati kwaari, Kududzirwa kwadzo ndiko: Matavi matatu mazuva matatu;

40:13b.GEN.040.013 mazuva matatu agere kupera Farao achasimudza musoro wako, nokukudzosera kubasa rako; ipapo uchaisa mukombe waFarao muruoko rwakezve, sezvawaiita kare uchiri mudiri wake.

40:14b.GEN.040.014 Asi undirangarire hako kana woitirwa zvakanaka; undiitire ngoni, undireverere kuna Farao, kuti ndibudiswe paimba ino;

40:15b.GEN.040.015 nokuti zvirokwazvo, ndakabiwa kunyika yavaHebheru; napano handina kuita chinhu chakafanira kuti vandiise mugomba iri.

40:16b.GEN.040.016 Zvino mukuru wavabiki akati aona kuti dudziro yakanaka, akati kuna Josefa, Neniwo ndakanga ndiri pakurota kwangu, ndikaona tswanda nhatu dzechingwa chichena dzakanga dziri pamusoro wangu;

40:17b.GEN.040.017 mutswanda yapamusoro makanga mune zvokudya zvamarudzi ose zvakabikwa zvaFarao; shiri dzikazvidya mutswanda yaiva pamusoro wangu.

40:18b.GEN.040.018 Ipapo Josefa akapindura, akati, Kududzirwa kwadzo ndiko: Tswanda nhatu mazuva matatu;

40:19b.GEN.040.019 mazuva matatu agere kupera, Farao achasimudza musoro wako akaubvisa pamusoro pako, akusungirire pamuti; shiri dzichadya nyama yako dzichiibvisa kwauri.

40:20b.GEN.040.020 Zvino nomusi wetatu, musi wokuzvarwa kwaFarao, iye akaitira varanda vake vose mutambo. Akasimudza musoro womukuru wavadiri, nomusoro womukuru wavabiki pakati pavaranda vake,

40:21b.GEN.040.021 akadzosera mukuru wavadiri kubasa rake rokudira kwake, akapa mukombe waFarao muruoko rwaFarao;

40:22b.GEN.040.022 asi akasungirira mukuru wavabiki sezvavakanga vadudzirwa naJosefa.

40:23b.GEN.040.023 Asi mukuru wavadiri haana kurangarira Josefa, asi akamukanganwa.

41

41:1b.GEN.041.001 Makore maviri akati apera, Farao akarota hope; akazviona amire parwizi.

41:2b.GEN.041.002 Akaona mhou nomwe dzichikwira dzichibuda murwizi, dzakanga dzakanaka, dzakakora; dzichifura pakati penhokwe.

41:3b.GEN.041.003 Zvino akaona dzimwe mhou nomwe dzichikwira mashure madzo, dzichibva murwizi, dzakanga dzakaipa, dzakaonda; dzikamira nedzimwe mhou pamhenderekedzo yorwizi.

41:4b.GEN.041.004 Zvino mhou dzakaipa, dzakaonda, dzikadya mhou dziya nomwe dzakanaka, dzakakora. Farao akapepuka.

41:5b.GEN.041.005 Akavatazve, akarota rwechipiri; akaona hura nomwe dzezviyo dzakanga dzatumbuka padzinde rimwe, dzakanga dzakakora, dzakanaka,

41:6b.GEN.041.006 akaona hura nomwe, dzakanga dzakatetepa, dzakanga dzapiswa nemhepo yokumabvazuva, dzichibuda shure kwadzo.

41:7b.GEN.041.007 Zvino hura dzakatetepa dzikamedza hura nomwe dzakakora, dzakanga dzizere. Farao akapepuka, akaona kuti arota.

41:8b.GEN.041.008 Zvino fume mangwana mweya wake ukatambudzika, akatuma vanhu kundodana nanga dzose dzeIjipiti navakachenjera vose voko; Farao akavaudza kurota kwake; asi kwakanga kusina munhu waigona kuzvidudzira kuna Farao.

41:9b.GEN.041.009 Ipapo mukuru wavadiri akaudza Farao, akati, Nhasi ndinorangarira kutadza kwangu;

41:10b.GEN.041.010 Farao akanga akatsamwira varanda vake, mukandisunga, ndikachengetwa mumba momukuru wavarindi, ini nomukuru wavabiki;

41:11b.GEN.041.011 tikarota hope nousiku humwe, ini naiye; tikarota mumwe nomumwe hope dzine dudziro yadzo.

41:12b.GEN.041.012 Zvino ipapo pakanga panesu jaya romuHebheru, muranda womukuru wavarindi; tikamuudza, iye akatidudzira kurota kwedu; akadudzira mumwe nomumwe sezvaakarota.

41:13b.GEN.041.013 Zvikazoitika sezvaakatidudzira; ini ndakadzoserwa kubasa rangu, asi iye akasungirirwa.

41:14b.GEN.041.014 Ipapo Farao akatuma munhu kundodana Josefa, akakurumidza kumubudisa mugomba; vakaveura ndebvu dzake nokumufukidza dzimwe nguvo; akapinda kuna Farao.

41:15b.GEN.041.015 Farao akati kuna Josefa, Ndarota hope, asi hakuna munhu anogona kundidudzira idzo; zvino ndanzwa kuti iwe, kana wanzwa kurota, unogona kuzvidudzira.

41:16b.GEN.041.016 Josefa akapindura Farao, akati, Kwete, handizini; Mwari ndiye angapa Farao dudziro yorugare.

41:17b.GEN.041.017 Farao akarondedzera kuna Josefa akati, Pakurota kwangu ndakazviona ndimire pamhenderekedzo yorwizi;

41:18b.GEN.041.018 ndikaona murwizi muchibuda mhou nomwe, dzakanga dzakakora, dzakanaka; dzikafura pakati penhokwe;

41:19b.GEN.041.019 ndikaonazve dzimwe mhou nomwe dzichikwira shure kwadzo dzine nzara, dzakaipa kwazvo, dzakaonda, handina kumboona dzakaipa dzakadai panyika yose yeIjipiti.

41:20b.GEN.041.020 Zvino mhou idzodzo dzakaonda, dzakaipa, dzikadya, mhou dziya dzakakora dzokutanga;

41:21b.GEN.041.021 dzakati dzadzidya, hadzina kutongozikanwa kuti dzadzidya; asi dzakanga dzakangoipa sapakutanga. Zvino ndikapepuka.

41:22b.GEN.041.022 Ndikaonazve pakurota kwangu hura nomwe dzakanga dzatumbuka padzinde rimwe, dzizere, dzakanaka;

41:23b.GEN.041.023 ndikaonazve dzimwe hura nomwe, dzakaoma, dzakatetepa, dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva, dzichibuda shure kwadzo.

41:24b.GEN.041.024 Hura idzodzo dzakatetepa dzikamedza hura nomwe dzakanaka; ndikaudza nanga, asi kwakanga kusina munhu akagona kundidudzira izvozvo.

41:25b.GEN.041.025 Ipapo Josefa akati kuna Farao, Kurota kwaFarao ndokumwe; izvo Mwari zvaanoda kuita, ndizvo zvaakazivisa Farao.

41:26b.GEN.041.026 Mhou nomwe dzakanaka makore manomwe, nehura nomwe dzakanaka makore manomwewo; kurota ndokumwe.

41:27b.GEN.041.027 Mhou nomwe dzakaonda, dzakaipa, dzakakwira shure kwaidzodzo, makore manomwe, nehura nomwe dzakaputa, dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva, achava makore manomwe enzara.

41:28b.GEN.041.028 Ndiro shoko randataura kuna Farao; izvo Mwari zvaanoda kuita, ndizvo zvaakaratidza Farao.

41:29b.GEN.041.029 Tarirai, kunouya makore manomwe amaguta kwazvo panyika yose yeIjipiti;

41:30b.GEN.041.030 shure kwaiwayo kuchatevera makore manomwe enzara; ipapo maguta ose achakanganikwa panyika yeIjipiti; nzara ichapedza nyika;

41:31b.GEN.041.031 maguta haangazozikanwi munyika nokuda kwenzara iyoyo inozotevera, nokuti ichanyanya kwazvo.

41:32b.GEN.041.032 Kurota uku kwakapamhidzwa kuna Farao kaviri, nokuti izvozvo zvakatarwa naMwari, uye Mwari achakurumidza kuzviita.

41:33b.GEN.041.033 Naizvozvo Farao ngaatsvake munhu akangwara, akachenjera, amuite mubati wenyika yeljipiti.

41:34b.GEN.041.034 Farao ngaaite izvozvo, ngaaise vatariri panyika yose, atore cheshanu chezviyo zvenyika yeIjipiti pamakore manomwe emaguta.

41:35b.GEN.041.035 Ngaaunganidze zvokudya zvose zvamakore iwayo akanaka anouya, avige zviyo nomurayiro waFarao, zvive zvokudya mumaguta; vazvichengete.

41:36b.GEN.041.036 Zvokudya izvozvo zvichachengeterwa nyika makore manomwe enzara, ichazovapo panyika yeIjipiti, kuti nyika irege kuparadzwa nenzara.

41:37b.GEN.041.037 Chinhu ichi chakanga chakanaka kuna Farao navaranda vake vose.

41:38b.GEN.041.038 Farao akati kuvaranda vake, Ko tingawana mumwe munhu akafanana nouyu, anomweya waMwari maari here?

41:39b.GEN.041.039 Farao akati kuna Josefa, Mwari zvaakakuratidza izvozvo zvose, hapana munhu akangwara, akachenjera sewe;

41:40b.GEN.041.040 ndiwe uchava mubati weimba yangu; vanhu vangu vose vacharairwa neshoko rako; asi pachigarao changu choushe ndipo pandichava mukuru kwauri.

41:41b.GEN.041.041 Zvino Farao akati kuna Josefa, Tarira, ndakuita mubati panyika yeIjipiti yose.

41:42b.GEN.041.042 Farao akabvisa chimhete chake paruoko rwake, akachiisa paruoko rwaJosefa, akamufukidza nguvo dzomucheka wakanakisa, akamushongedza chiketani chendarama pamutsipa wake;

41:43b.GEN.041.043 akamufambisa nengoro yechipiri yaakanga anayo; vakadanidzira pamberi pake, vachiti, Pfugamai! Akamuita mubati wenyika yose yeIjipiti.

41:44b.GEN.041.044 Farao akati kuna Josefa, Ndini Farao, asi kunze kwako hapana munhu achasimudza ruoko rwake kana rutsoka rwake panyika yose yeIjipiti.

41:45b.GEN.041.045 Farao akatumidza Josefa zita rinonzi Zafanatipanea; akamupa Asenati, mukunda waPotifari, mupirisiti weOni, kuti ave mukadzi wake. Josefa akabuda, akafamba nenyika yose yeIjipiti.

41:46b.GEN.041.046 Zvino Josefa akanga ana makore makumi matatu, nguva yaakamira pamberi paFarao, mambo weIjipiti. Josefa akabuda pamberi paFarao, akafamba, akapota nenyika yose yeIjipiti.

41:47b.GEN.041.047 Nyika ikabereka zvizhinji-zhinji, namakore manomwe amaguta.

41:48b.GEN.041.048 Akaunganidza zvokudya zvose zvamakore manomwe, akanga aripo panyika yeljipiti, akaviga zvokudya mumaguta; zvokudya zveminda yakanga yakapoteredza guta rimwe nerimwe, akazvivigamo.

41:49b.GEN.041.049 Josefa akaviga zviyo, zvikaita sejecha regungwa, zvizhinji-zhinji, kusvikira akarega kuzviverenga; nokuti zvakanga zvisingagoni kuverengwa.

41:50b.GEN.041.050 Zvino gore renzara risati rasvika, Josefa akaberekerwa vanakomana vaviri, vaakaberekerwa naAsenati, mukunda waPotifari, mupirisiti weOni.

41:51b.GEN.041.051 Josefa akatumidza wedangwe zita rinonzi Manase, achiti, Nokuti Mwari akandikanganwisa kutambudzika kwangu kwose neimba yababa vangu yose.

41:52b.GEN.041.052 Zita rowechipiri akaritumidza Efuremu, achiti, Nokuti Mwari akandiberekesa vana panyika yokutambudzika kwangu.

41:53b.GEN.041.053 Zvino makore manomwe amaguta, akanga avapo panyika yeIjipiti, akapera.

41:54b.GEN.041.054 Makore manomwe enzara akatanga kusvika, sezvakataura Josefa; nzara ikavapo panyika dzose; asi panyika yose yeIjipiti pakanga pane zvokudya.

41:55b.GEN.041.055 Zvino vanhu vose veljipiti vofa nenzara, vakachemera zvokudya kuna Farao; Farao akati kuna vose veIjipiti, Endai kuna Josefa; itai zvaanotaura kwamuri.

41:56b.GEN.041.056 Nzara ikavapo panyika dzose; Josefa akazarura matura ose, akatengesera vaIjipiti; nokuti nzara yakanga yakanyanya panyika yeIjipiti.

41:57b.GEN.041.057 Vanhu venyika dzose vakaenda Ijipiti kuna Josefa kuzotenga zviyo; nokuti nzara yakanga yakanyanya panyika dzose.

42

42:1b.GEN.042.001 Zvino Jakobho akaona kuti zviyo zvaiveko kuIjipiti, Jakobho akati kuvanakomana vake, Munotarirana neiko?

42:2b.GEN.042.002 Akati, Ndanzwa kuti zviyo zviriko kuIjipiti; burukiraiko, mundotitengerako, tipone, tirege kufa.

42:3b.GEN.042.003 Ipapo vakoma vaJosefa vane gumi vakaburuka kundotenga zviyo Ijipiti.

42:4b.GEN.042.004 Asi Bhenjamini, munununa waJosefa, Jakobho haana kumutuma navakoma vake; nokuti akati, Zvimwe angawirwa nenjodzi.

42:5b.GEN.042.005 Zvino vanakomana vaIsiraeri vakauya kuzotenga pakati pavamwe vaiuya, nokuti nzara yakanga iripo panyika yeKenani.

42:6b.GEN.042.006 Zvino Josefa akanga ari mubati wenyika; ndiye aitengesera vanhu vose venyika; vakoma vaJosefa vakauya, vakamupfugamira, zviso zvavo zvakatarira pasi.

42:7b.GEN.042.007 Josefa akaona vakoma vake, akavaziva, asi akaita saasingavazivi, akataura nehasha navo, akati kwavari, Mabvepiko? Ivo vakati, Tabva kunyika yeKenani kuzotenga zvokudya.

42:8b.GEN.042.008 Josefa akaziva vakoma vake, asi ivo havana kumuziva.

42:9b.GEN.042.009 Ipapo Josefa akarangarira kurota kwake kwaakadeya kurota pamusoro pavo, akati kwavari, Muri vashori, mauya kuzoona kuti nyika yakashama papi.

42:10b.GEN.042.010 Ivo vakati kwaari, Kwete, ishe wedu, asi varanda venyu vauya kuzotenga zvokudya.

42:11b.GEN.042.011 Tiri vanakomana vomunhu mumwe chete tose; tiri vanhu vakatendeka, varanda venyu havazi vashori;

42:12b.GEN.042.012 iye akati kwavari, Kwete, mauya kuzoona nyika kuti yakashama papi.

42:13b.GEN.042.013 Ivo vakati, Isu varanda venyu, tiri vanakomana vane gumi navaviri vomunhu mumwe chete panyika yeKenani; zvino worugotwe ari kuna baba vedu nhasi; mumwe haachisipo.

42:14b.GEN.042.014 Josefa akati kwavari, Ndizvo zvandanga ndichitaura kwamuri, ndichiti muri vashori;

42:15b.GEN.042.015 hechi chinhu chamuchaedzwa nacho. Noupenyu hwaFarao, hamungabudi pano kana munununa wenyu worugotwe asina kuuya pano.

42:16b.GEN.042.016 Tumai mumwe wenyu kuti andotora munununa wenyu, asi imwi muchafanira kugara makasungwa, kuti mashoko enyu aedzwe, kana makatendeka; kana zvisina kudaro, zvirokwazvo, noupenyu hwaFarao muri vashori.

42:17b.GEN.042.017 Ipapo akavaisa pamwechete vose mutorongo, kuti vachengetwe mazuva matatu.

42:18b.GEN.042.018 Josefa akati kwavari nezuva retatu, Itai chinhu ichi, mupone; ini ndinotya Mwari;

42:19b.GEN.042.019 kana muri vanhu vakatendeka, mumwe wavanununa venyu ngaagare akasungwa mutorongo yenyu; asi imwi endai makatakura zviyo kundopa mhuri dzenyu dzine nzara.

42:20b.GEN.042.020 Mugouya nomunununa wenyu worugotwe kwandiri; naizvozvo mashoko enyu achasimbiswa, murege kufa. Vakaita saizvozvo.

42:21b.GEN.042.021 Vakataurirana vachiti, Zvirokwazvo tine mhosva nokuda kwomunununa wedu, nokuti takaona kutambudzika kwomweya wake musi uya waakatinyengetera, tikaramba kumuteerera; naizvozvo tawirwa nokutainbudzika.

42:22b.GEN.042.022 Ipapo Rubheni akapindura, akati, Handina kukuudzai here, ndichiti, Regai kutadzira mwana, mukaramba kunditeerera? Naizvozvo tarirai, ropa rake rotsvakwa.

42:23b.GEN.042.023 Zvino vakanga vasingazivi kuti Josefa anonzwisisa, nokuti kwanga kuine mupinduri pakati pavo.

42:24b.GEN.042.024 Ipapo Josefa akabva kwavari, akachema; akadzokerazve kwavari, akataura navo, akatora Simioni pakati pavo, akamusunga vachizviona.

42:25b.GEN.042.025 Josefa akaraira kuti midziyo yavo izadzwe nezviyo, uye kuti mumwe nomumwe adzoserwe mari yake muhomwe yake, uye kuti vapiwewo mbuva yokufamba nayo; vakaitirwa saizvozvo.

42:26b.GEN.042.026 Ipapo vakatakudza mbongoro dzavo zviyo zvavo, vakaenda.

42:27b.GEN.042.027 Zvino mumwe wavo akati achisunungura homwe yake, kuti ape mbongoro yake zvokudya pavakavata usiku, akawana mari yake; heyo yakanga iri mumuromo wehomwe yake.

42:28b.GEN.042.028 Akati kuhama dzake, Mari yangu yadzoswa; heyi iri muhomwe yangu; ipapo vakaora moyo, vakatarirana, vachibvunda, vakati, Chinyiko ichi chataitirwa naMwari?

42:29b.GEN.042.029 Vakasvika kuna baba vavo panyika yeKenani, vakavaudza zvose zvakanga zvavawira;

42:30b.GEN.042.030 vakati, Murume uya, ishe wenyika iyoyo, akataura nesu nehasha, akati, tiri vashori venyika.

42:31b.GEN.042.031 Tikati kwaari, Tiri vanhu vakatendeka, hatizi vashori;

42:32b.GEN.042.032 tiri vanakomana vane gumi navaviri vomunhu mumwe chete, vanakomana vababa vedu; mumwe haachipo, worugotwe ari kuna baba vedu nhasi panyika yeKenani.

42:33b.GEN.042.033 Zvino murume uya, ishe wenyika, akati kwatiri, Hechi chinhu chandichaziva nacho kuti muri vakatendeka, Siyai mumwe wenyu kwandiri, mutore zviyo, mundopa mhuri dzenyu dzine nzara, muende.

42:34b.GEN.042.034 Mugouyazve kwandiri nomunununa wenyu worugotwe; ipapo ndichaziva kuti hamuzi vashori, asi kuti muri vanhu vakatendeka; ipapo ndichakupai munununa wenyu, mugotenga panyika ino.

42:35b.GEN.042.035 Zvino vakati vachidurura homwe dzavo, tarira chiputu chemari yomumwe nomumwe chakanga chiri muhomwe yake; vakati vachiona zviputu zvemari yavo, vakatya ivo nababa vavo.

42:36b.GEN.042.036 Zvino Jakobho akati kwavari, Manditorera vana; Josefa haachipo, naSimioni haachipo, zvino moda kutora naBhenjaminiwo; zvinhu zvose izvi zvandiwira.

42:37b.GEN.042.037 Ipapo Rubheni akataura nababa vake, akati, Mungauraya henyu vanakomana vangu vaviri, kana ndisingadzoki naye kwamuri; chimuisai henyu mumaoko angu, ini ndichauya nayezve kwamuri.

42:38b.GEN.042.038 Vakati, Mwanakomana wangu haangaburuki nemi, nokuti mukoma wake wakafa, iye asiyiwa ari oga; kana akawirwa nenjodzi parwendo rwamunofamba, muchaburutsira vhudzi rangu jena kuhwiro nokuchema.

43

43:1b.GEN.043.001 Zvino nzara yakanga iri huru munyika iyoyo.

43:2b.GEN.043.002 Zvino vakati vapedza zviyo, zvavakanga vabva nazvo Ijipiti, baba vavo vakati kwavari, Dzokai, endaizve mutitengere zvokudya zvishoma.

43:3b.GEN.043.003 Judha akataura navo, akati, Murume uya akatinyevera kwazvo, akati, Hamungatongooni chiso changu, kana munununa wenyu asati anemi.

43:4b.GEN.043.004 Kana mukatuma munununa wedu nesu, tichaburuka, kundotenga zvokudya;

43:5b.GEN.043.005 asi kana musingamutumi, hatingaburuki; nokuti murume uya akati kwatiri, Hamungaoni chiso changu, kana munununa wenyu asati anemi.

43:6b.GEN.043.006 Isiraeri akati, Makandiitireiko zvakaipa zvakadai, zvamakaudza murume uya kuti munomunununa?

43:7b.GEN.043.007 Ivo vakati, Murume uya akatibvunzisisa pamusoro pedu, napamusoro pehama dzedu, akati, Baba venyu vapenyu here? Mune munununa here? Tikamupindura namashoko aya; taigoziva here kuti achati, Burukai nomunununa wenyu?

43:8b.GEN.043.008 Zvino Judha akati kuna Isiraeri, baba vake, Tumai henyu mukomana neni, tisimuke, tiende, tirarame, tirege kufa, isu nemi, navana vedu.

43:9b.GEN.043.009 Ini ndichava rubatso rwake; mungamureva paruoko rwangu; kana ndikasauya naye, ndikamuisa pamberi penyu, ini ndichava nemhosva kwamuri nokusingaperi.

43:10b.GEN.043.010 Nokuti dai tisina kunonoka, zvirokwazvo, tingadai tadzoka zvino rwechipiri.

43:11b.GEN.043.011 Ipapo Isiraeri, baba vavo, akati kwavari, Kana zvakadaro, itai chinhu ichi; torai michero yakanaka yenyika mumidziyo yenyu, muburuke nechipo kumunhu uyo, chebhasami shomanana, nouchi ushomanana, nezvinonhuwira, nemura, nemichero yomuti wepisitakio, namaamanda;

43:12b.GEN.043.012 mutore mari yakapamhidzwa kaviri mumaoko enyu, neiya mari yakanga yadzoserwa mumiromo yehomwe dzenyu, muende makaibata mumaoko enyu; zvimwe vakakanganisa.

43:13b.GEN.043.013 Nomunununa wenyu mumutorei, musimuke, mudzokere kumurume uyo;

43:14b.GEN.043.014 Mwari waMasimbaose ngaakupei nyasha pamberi pomurume uyo, akusunungurirei mumwe munununa wenyu naBhenjaminiwo. Kana ndatorerwa vana vangu, ndatorerwa hangu.

43:15b.GEN.043.015 Zvino varume vakatora chipo ichocho, vakabata mumaoko avo mari yakapamhidzwa kaviri, naBhenjamini, vakasimuka, vakaburukira Ijipiti, vakandomira pamberi paJosefa.

43:16b.GEN.043.016 Zvino Josefa akati achiona Bhenjamini anavo, akati kumutariri weimba yake, Uya navarume mumba, ubaye, ugadzire; nokuti varume ava vachadya neni masikati.

43:17b.GEN.043.017 Murume uyo akaita sezvaakaudzwa naJosefa; murume uyo akaisa varume avo mumba maJosefa.

43:18b.GEN.043.018 Varume vakatya, zvavakaiswa mumba maJosefa, vakati, Tinoiswamo nokuda kwemari yakadzoserwa muhomwe dzedu panguva yokutanga, kuti atsvake mhosva kwatiri, atibate, nokutiita varanda vake, achitorawo mbongoro dzedu.

43:19b.GEN.043.019 Ipapo vakaswedera kumutariri weimba yaJosefa, vakataura naye pamusuo weimba;

43:20b.GEN.043.020 vakati, Haiwa, ishe wedu, zvirokwazvo panguva yokutanga takaburuka kuzotenga zvokudya;

43:21b.GEN.043.021 tikati tichisvika patakavata usiku, tikasunungura homwe dzedu, onei mari yomumwe nomumwe iri mumuromo wehomwe yake, mari yedu yose sezvayakayerwa; zvino tadzoka nayo pamaoko edu.

43:22b.GEN.043.022 Zvino taburuka tiine imwe marizve mumaoko edu kuti titenge zvokudya nayo; hatizivi kuti mari yedu yakaiswa muhomwe dzedu nani?

43:23b.GEN.043.023 Iye akati, Farai henyu, musatya; Mwari wenyu, Mwari wababa venyu, akakupai fuma muhomwe dzenyu; mari yenyu yakasvika kwandiri. Akavabudisira Simioni.

43:24b.GEN.043.024 Murume uyo akaisa varume avo muimba yaJosefa, akavapa mvura, vakashambidza tsoka dzavo, akapawo mbongoro dzavo zvokudya.

43:25b.GEN.043.025 Vakagadzira chipo kusvikira kuuya kwaJosefa masikati, nokuti vakanga vanzwa kuti vachadya zvokudya ipapo.

43:26b.GEN.043.026 Josefa akati asvika kumba, vakapinda mumba nechipo chakanga chiri mumaoko avo, vakakotamira pasi pamberi pake.

43:27b.GEN.043.027 Iye akavabvunza mufaro wavo, akati, Baba venyu vakafara here, uya mutana wamaireva? Vachiri vapenyu here?

43:28b.GEN.043.028 Ivo vakati, Muranda wenyu, baba vedu, vakafara havo, vachiri vapenyu. Vakakotama, vakanamata.

43:29b.GEN.043.029 Iye akasimudza meso ake, akaona Bhenjamini, munununa wake, mwanakomana wamai vake, akati, Ndiye here munununa wenyu muduku worugotwe, wamakandiudza? Akati, Mwari ngaave nenyasha newe, mwana wangu.

43:30b.GEN.043.030 Zvino Josefa akakurumidza, nokuti moyo wake wakachema munununa wake, akatsvaka paangachema; akapinda muimba yake yomukati, akachemapo.

43:31b.GEN.043.031 Akazoshambidza chiso chake, akabudazve, akazvidzora akati, Pakurai zvokudya.

43:32b.GEN.043.032 Vakamupakurira iye oga, naivo voga, navaIjipiti havana kutenderwa kudya navaHebheru, nokuti zvinonyangadza kuna vaIjipiti.

43:33b.GEN.043.033 Vakagara pamberi pake, wedangwe paudangwe hwake, nomuduku kuna vose pauduku hwake; varume vakatarirana, vakashamiswa.

43:34b.GEN.043.034 Akavagovera zvokudya zvakanga zviri pamberi pake, asi mugove waBhenjamini wakaenzana nowavashanu vavo. Vakanwa, vakafara naye.

44

44:1b.GEN.044.001 Zvino akaraira mutariri weimba yake, achiti, Zadza homwe dzavarume nezvokudya, sezvavanogona kutakura, uisewo mari yomumwe nomumwe pamuromo wehomwe yake.

44:2b.GEN.044.002 Nomukombe wangu, mukombe wesirivha, uuise pamuromo wehomwe yomuduku, pamwechete nemari yezviyo zvake. Iye akaita sezvaakaudzwa naJosefa.

44:3b.GEN.044.003 Zvino fume mangwana kwoedza varume vakatenderwa kuenda, ivo nembongoro dzavo.

44:4b.GEN.044.004 Vakati vabuda muguta, vasati vaenda kure, Josefa akaudza mutariri wake, akati, Simuka, tevera varume; kana wavabata, uti kwavari, Matsindikireiko zvamaitirwa zvakanaka?

44:5b.GEN.044.005 Ko hachizi chinhu chinonwira ishe wangu, chaanoshopera nacho here? Chinhu ichi chamaita chakaipa.

44:6b.GEN.044.006 Akandovabata, akataura mashoko iwayo kwavari.

44:7b.GEN.044.007 Vakati kwaari, Ko ishe wedu anotaurirei mashoko akadai? Haisva, varanda venyu havangaiti chinhu chakadai.

44:8b.GEN.044.008 Tarirai, mari yatakawana pamiromo yehomwe dzedu takadzoka nayo kwamuri tichibva kunyika yeKenani; taigoba seiko sirivha kana ndarama mumba mashe wenyu?

44:9b.GEN.044.009 Ani naani wavaranda venyu anowanikwa anawo, ngaafe; nesu tichava vasungwa vashe wedu.

44:10b.GEN.044.010 Iye akati, Ndizvo hazvo, ngazvive sezvamataura; iye anowanikwa aine mukombe, ndiye achava musungwa wangu; imwi vamwe hamungavi nemhosva.

44:11b.GEN.044.011 Ipapo vakakurumidza mumwe nomumwe kuburutsira homwe yake pasi, mumwe nomumwe akasunungura homwe yake.

44:12b.GEN.044.012 Iye akatsvaka, akatanga kumukuru, akaguma kumuduku; mukombe ukawanikwa muhomwe yaBhenjamini.

44:13b.GEN.044.013 Ipapo vakabvarura nguvo dzavo, mumwe nomumwe akatakudza mbongoro yake, akadzokera kuguta.

44:14b.GEN.044.014 Judha navana vababa vake vakadzokera kuimba yaJosefa, iye achirimo, vakawira pasi pamberi pake.

44:15b.GEN.044.015 Zvino Josefa akati kwavari, Chinyiko ichi chamaita? Hamuzivi kuti munhu akaita seni anogona kushopera here?

44:16b.GEN.044.016 Judha akati, Ko tingadiniko kuna ishe wangu? Tingataureiko? Tingazvipembedza sei? Mwari akawana kutadza kwavaranda venyu; tarirai tiri vasungwa vashe wedu, isu naiye akawanikwa aine mukombe.

44:17b.GEN.044.017 Iye akati, Haisva, handingaiti saizvozvo; munhu uyo akawanikwa ano mukombe muruoko, ndiye achava musungwa wangu; kana muri imwi, endai henyu norugare kuna baba venyu.

44:18b.GEN.044.018 Ipapo Judha akaswedera kwaari, akati, Haiwa, ishe wangu, dotenderai henyu muranda wenyu kutaura shoko munzeve dzashe wangu, kutsamwa kwenyu kurege kumukira muranda wenyu, nokuti imwi makaenzana naFarao.

44:19b.GEN.044.019 Ishe wangu akabvunza varanda vake, achiti, Muna baba here, kana munununa?

44:20b.GEN.044.020 Isu tikati kuna ishe wedu, Tina baba vavamutana, vanomwana woutana hwavo, achiri muduku hake; mukoma wake akafa, iye akasara ari oga, mwana wamai vake, baba vake vanomuda.

44:21b.GEN.044.021 imwi mukati kuvaranda venyu, Burukai naye kwandiri, ndimuone nameso angu.

44:22b.GEN.044.022 Isu tikati kuna ishe wedu, Mukomana haangasiyi baba vake, nokuti kana akasiya baba vake, baba vake vangafa.

44:23b.GEN.044.023 Zvino makati kuvaranda venyu, Kana munununa wenyu worugotwe asingaburuki nemi, hamungaonizve chiso changu.

44:24b.GEN.044.024 Zvino takati takwira kumuranda wenyu, baba vedu, tikavaudza mashoko ashe wedu.

44:25b.GEN.044.025 Baba vedu vakati, Endaizve, mutitengere zvokudya zvishomanana.

44:26b.GEN.044.026 Isu tikati, Hatingaburuki, kana munununa wedu asingaburuki nesu; nokuti hatingaoni chiso chomurume uya, kana munununa wedu asinesu.

44:27b.GEN.044.027 Muranda wenyu, baba vedu, vakati kwatiri, Munoziva kuti mukadzi wangu akandiberekera vanakomana vaviri;

44:28b.GEN.044.028 mumwe akabva kwandiri, ndikati, Zvirokwazvo akabvamburwa; kubva musi iwoyo handina kuzomuonazve;

44:29b.GEN.044.029 kana mukanditorera nouyuwo, akawirwa nenjodzi, muchaburutsira vhudzi rangu jena kuhwiro nokuchema.

44:30b.GEN.044.030 Naizvozvo, kana zvino ndikandosvika kumuranda wenyu, baba vangu, tisinaiye mukomana, mweya wavo zvawakabatanidzwa nomweya womukomana,

44:31b.GEN.044.031 vachati kana vachiona kuti mukomana asinesu, vachafa; naizvozvo varanda venyu vachaburutsira vhudzi jena romuranda wenyu, baba vedu, kuhwiro nokuchema.

44:32b.GEN.044.032 Nokuti muranda wenyu akazviita rubatso rwomukomana kuna baba vangu, ndikati, Kana ndikasauya naye kwamuri,ini ndichava nemhosva kuna baba vangu nokusingaperi.

44:33b.GEN.044.033 Naizvozvo zvino ndinokumbira kuti muranda wenyu agare hake ari musungwa washe wangu pachigaro chomukomana, asi mukomana akwire hake navana vababa vake.

44:34b.GEN.044.034 Nokuti ndingakwira seiko kuna baba vangu, ndisina mukomana? Ndirege hangu kuona njodzi ichawira baba vangu.

45

45:1b.GEN.045.001 Zvino Josefa haana kugona kuzvidzora pamberi pavose vakanga vamire naye, akadana, achiti, Budisai vanhu vose vari pano neni. Zvino kwakanga kusina munhu akamira naye Josefa achizvizivisa kuvana vababa vake.

45:2b.GEN.045.002 Akachema kwazvo, valjipiti naveimba yaFarao vakazvinzwawo.

45:3b.GEN.045.003 Ipapo Josefa akati kuvana vababa vake, Ndini Josefa! Baba vangu vachiri vapenyu Here? Vana vababa vake vakasagona kumupindura, nokuti vakanga vachitya pamberi pake.

45:4b.GEN.045.004 Josefa akati kuvana vababa vake, Doswederai henyu kwandiri. Zvino vakaswedera. lye akati, Ndini Josefa, mwana wababa venyu wamakatengesa ndikaiswa Ijipiti.

45:5b.GEN.045.005 Zvino musazvidya moyo, kana kuzvitsamwira, zvamakanditengesera kuno; nokuti Mwari akandituma pamberi penyu, kuti ndichengete upenyu.

45:6b.GEN.045.006 Nokuti zvino ava makore maviri enzara panyika ino; mamwe makore mashanu achiko, avasingazorimi nokukohwa nawo.

45:7b.GEN.045.007 Mwari akandituma pamberi penyu kuti ndikuchengetei, muve navamwe vachasara panyika, ndikuraramisei kuti musunungurwe nokusunungurwa kukuru.

45:8b.GEN.045.008 Zvino hamuzimi makandituma pano, asi Mwari; iye akandiita baba kuna Farao nashe weimba yake yose, nomubati wenyika yose yeljipiti.

45:9b.GEN.045.009 Kurumidzai, mukwire kuna baba vangu, mundoti kwavari, Zvanzi naJosefa, mwanakomana wenyu, Mwari akandiita ishe weljipiti rose; burukirai kwandiri musanonoka;

45:10b.GEN.045.010 mugare panyika yeGosheni, mugova pedo neni, imwi, navanakomana venyu, navana vavana venyu, namakwai enyu, nemombe dzenyu, nezvose zvamunazvo;

45:11b.GEN.045.011 ndichakuchengetaipo, nokuti mamwe makore mashanu enzara achiripo, kuti murege kuzova varombo, imwi, naveimba yenyu, nezvose zvamunazvo.

45:12b.GEN.045.012 Tarirai meso enyu anoona, nameso omunununa wangu Bhenjamini kuti muromo wangu unotaura kwamuri.

45:13b.GEN.045.013 Mundoudza baba vangu kukudzwa kwangu kwose paljipiti, nezvose zvamaona; mukurumidze kuburutsira baba vangu kuno.

45:14b.GEN.045.014 Akawira pamutsipa waBhenjamini, munununa wake, akachema, naiye Bhenjamini akachema pamutsipa wake.

45:15b.GEN.045.015 Akatsvoda vakoma vake vose, akachema pamusoro pavo; shure kwaizvozvo vakoma vake vakataura naye.

45:16b.GEN.045.016 Zvino mukurumbira wazvo wakanzwika mumba maFarao, zvichinzi, Vana vababa vaJosefa vasvika! Farao navaranda vake vakafara naizvozvo.

45:17b.GEN.045.017 Farao akati kuna Josefa, Iti kuvana vababa vako, Itai chinhu ichi: Takudzai zvipfuwo zvenyu, mufambe, muende kunyika yeKenani;

45:18b.GEN.045.018 mundotora baba venyu navedzimba dzenyu muuye kwandiri; ndichakupai zvinhu zvakaisvonaka zvenyika yeIjipiti, mudye zvakakora zvenyika.

45:19b.GEN.045.019 Zvino chiitai sezvamarairwa; torerai vana venyu vaduku navakadzi venyu ngoro panyika yeIjipiti, mundotora baba venyu, muuye.

45:20b.GEN.045.020 Musafunga nhumbi dzenyu, nokuti zvakaisvonaka zvenyika yose yeIjipiti ndezvenyu.

45:21b.GEN.045.021 Vanakomana vaIsiraeri vakaita saizvozvo. Josefa akavapa ngoro, sezvaakarairwa naFarao, akavapa mbuva yokufamba nayo.

45:22b.GEN.045.022 Akapa vose, mumwe nomumwe nguvo dzakanaka; asi Bhenjamini akamupa mashekeri ana mazana matatu esirivha nenguvo dzakanaka shanu.

45:23b.GEN.045.023 Nababa vake akavatumira mbongoro dzine gumi, dzakanga dzakatakura zvinhu zvakaisvonaka zveIjipiti, namakadzi embongoro ane gumi akanga akatakura zviyo, nechingwa, nezvokudya zvababa vake zvorwendo.

45:24b.GEN.045.024 Zvino akatendera vana vababa vake kuenda, vakabva; akati kwavari, Chenjerai, musatukana munzira.

45:25b.GEN.045.025 Ipapo vakabva Ijipiti, vakakwira, vakandosvika kunyika yeKenani kuna Jakobho, baba vavo.

45:26b.GEN.045.026 Vakavaudza, vakati, Josefa achiri mupenyu; ndiye mubati wenyika yose yeIjipiti. Ipapo moyo wavo wakati rukutu, nokuti havana kutenda.

45:27b.GEN.045.027 Vakavaudza mashoko ose aJosefa; zvino vakati vaona ngoro dzakanga dzatumwa naJosefa kuzovatakura, mweya waJakobho, baba vavo, ukaponazve;

45:28b.GEN.045.028 Isiraeri akati, Zvaringana! Josefa, mwanakomana wangu achiri mupenyu; ndichaenda ndimuone ndisati ndafa.

46

46:1b.GEN.046.001 Zvino Isiraeri akabva nezvose zvaakanga anazvo, akasvika Bheerishebha, akabayira Mwari wababa vake Isaka zvibayiro.

46:2b.GEN.046.002 Mwari akataura naIsiraeri nezviratidzo usiku, akati, Jakobho ! Jakobho ! Iye akati, Ndiri pano hangu.

46:3b.GEN.046.003 Akati, Ndini Mwari, iye Mwari wababa vako; usatya hako kuburukira Ijipiti; nokuti ndichakuita rudzi rukuru ikoko;

46:4b.GEN.046.004 ndichaburukira Ijipiti newe, ndigokudzosazve zvirokwazvo; Josefa uchaisa ruoko rwake pachiso chako.

46:5b.GEN.046.005 Jakobho akasimuka, akabva Bheerishebha; vanakomana vaIsiraeri vakatakura Jakobho baba vavo, navana vavo vaduku, navakadzi vavo, nengoro dzakanga dzatumwa naFarao kuti dzivatakure.

46:6b.GEN.046.006 Vakatora mombe dzavo nenhumbi dzavo dzavakanga vawana munyika yeKenani, vakasvika Ijipiti, Jakobho navanakomana vake vose pamwechete naye;

46:7b.GEN.046.007 vanakomana vake, navana vavanakomana vake pamwechete naye, navakunda vake, navakunda vavanakomana vake, navose vorudzi rwake, vakaenda navo Ijipiti.

46:8b.GEN.046.008 Ndiwo mazita avana vaIsiraeri vakasvika Ijipiti: Jakobho, navanakomana vake, vachiti: Rubheni, dangwe raJakobho.

46:9b.GEN.046.009 Navanakomana vaRubheni: Hanoki, naParu, naHezironi, Karami.

46:10b.GEN.046.010 Navanakomana vaSimioni: Jemueri, naJamini, naOhadhi, naJakini, naZohari, naShauri, waiva mwanakomana womukadzi weKenani.

46:11b.GEN.046.011 Navanakomana vaRevhi: Gerishoni, naKohati, naMerari.

46:12b.GEN.046.012 Navanakomana vaJudha: Eri, naOnani, naShera, naPerezi, naZera; asi Zera naOnani vakafira panyika yeKenani. Vanakomana vaPerezi vaiva Hezironi, naHamori.

46:13b.GEN.046.013 Navanakomana vaIsakari: Tora, naPuwa, naJobho, naShimuroni.

46:14b.GEN.046.014 Navanakomana vaZebhuroni: Seredhi, naEroni, naJareeri.

46:15b.GEN.046.015 Ndivo vanakomana vaRea, vaakaberekera Jakobho paPadhanaramu, nomukunda wake Dhina; vanakomana vake navakunda vake vose vaiva vanhu vana makumi matatu navatatu.

46:16b.GEN.046.016 Navanakomana vaGadhi: Zifioni, naHagi, naShumi, naEzibhoni, naEri, naArodhi, naAreri.

46:17b.GEN.046.017 Navanakomana vaAsheri: Imuna, naIshivha, naIshivhi, naBheria, naSera, hanzvadzi yavo; navanakomana vaBhiriha vaiva Hebheri, naMakieri.

46:18b.GEN.046.018 Ndivo vanakomana vaZiripa, Rabhani waakapa Rea, mukunda wake; akaberekera Jakobho vanhu ava vane gumi navatanhatu.

46:19b.GEN.046.019 Vanakomana vaRakeri, mukadzi waJakobho, vaiva Josefa naBhenjamini.

46:20b.GEN.046.020 Josefa akaberekerwa Manase naEfuremu panyika yeljipiti, ndivo vaakaberekerwa naAsenati, mukunda waPotifari, mupirisiti weOni.

46:21b.GEN.046.021 Navanakomana vaBhenjamini: Bhera, naBhekeri, naAshibheri naGera, naNaamani, naEhi, naRoshi, naMupimi, naHupimi, naAdhi.

46:22b.GEN.046.022 Ndivo vanakomana vaRakeri, vakaberekerwa Jakobho; vose vaiva vane gumi navana.

46:23b.GEN.046.023 Navanakomana vaDhani: Hushimi.

46:24b.GEN.046.024 Navanakomana vaNafutari: Jazeeri, naGuni, naJezeri, naShiremi.

46:25b.GEN.046.025 Ndivo vanakomana vaBhiriha, Rabhani waakapa Rakeri, mukunda wake; ndivo vaakaberekera Jakobho; vose vaiva vanomwe.

46:26b.GEN.046.026 Zvino vanhu vose vakauya naJakobho Ijipiti, vakanga vabuda pachiuno chake, vakadzi vavanakomana vaJakobho vasingaverengwi, vose vaiva vanhu vana makumi matanhatu navatanhatu.

46:27b.GEN.046.027 Vanakomana vaJosefa vaakanga aberekerwa Ijipiti vaiva vanhu vaviri; vose veimba yaJakobho vakauya Ijipiti, vaiva vanhu vana makumi manomwe.

46:28b.GEN.046.028 Akatuma Judha pamberi pake kuna Josefa kuti amuratidze nzira inoenda Gosheni.

46:29b.GEN.046.029 Ipapo Josefa akagadzira ngoro yake, akakwira Gosheni, kundosangana naIsiraeri, baba vake; akazvizivisa kwavari, akawira pamutsipa wavo, akachema pamutsipa wavo nguva huru.

46:30b.GEN.046.030 Isiraeri akati kuna Josefa, Zvino ngandichifa hangu, nokuti ndaona chiso chako, kuti uchiri mupenyu.

46:31b.GEN.046.031 Zvino Josefa akati kuvana vababa vake naveimba yababa vake, Ini ndichakwira kundoudza Farao, ndichiti kwaari, Vana vababa vangu, naveimba yababa vangu, vaigara kunyika yeKenani, vasvika kwandiri;

46:32b.GEN.046.032 varume ava vafudzi, nokuti vaipfuwa zvipfuwo; vauya namakwai avo, nemombe dzavo, nezvose zvavanazvo.

46:33b.GEN.046.033 Zvino kana modanwa naFarao, akati, Basa renyu nderei?

46:34b.GEN.046.034 Muti, Varanda venyu vaiva vapfuwi vezvipfuwo kubva paucheche hwedu kusvikira zvino, isu namadzibaba edu; kuti mugare munyika yeGosheni, nokuti vafudzi vose vanonyangadza vaIjipiti.

47

47:1b.GEN.047.001 Zvino Josefa akaenda, akandoudza Farao, akati, Baba vangu navana vababa vangu vasvika, vachibva kunyika yeKenani, vane makwai avo, nemombe dzavo, nezvose zvavanazvo; zvino, tarirai vari munyika yeGosheni.

47:2b.GEN.047.002 Akatora varume vashanu kuvana vababa vake, akavaisa pamberi paFarao.

47:3b.GEN.047.003 Farao akati kuvakoma vake, Basa renyu ndereiko? Vakati kuna Farao, Varanda venyu vafudzi, isu namadzibaba edu tose.

47:4b.GEN.047.004 Vakati kuna Farao, Tauya kuzogara tiri vatorwa munyika ino; nokuti hakuna mafuro amakwai avaranda venyu, nokuti kune nzara kunyika yeKenani; zvino tinokumbira kuti varanda venyu vagare munyika yeGosheni.

47:5b.GEN.047.005 Ipapo Farao akataura naJosefa, akati, Baba vako navana vababa vako vauya kwauri;

47:6b.GEN.047.006 nyika yeIjipiti iri pamberi pako; baba vako navana vababa vako ngavagare panzvimbo yakaisvonaka panyika ino, ngavagare panyika yeGosheni; kana uchiziva kuti pakati pavo pana varume vakangwara, uvaite vatariri vemombe dzangu.

47:7b.GEN.047.007 Josefa akapinda naJakobho, baba vake, akavaisa pamberi paFarao; Jakobho akaropafadza Farao.

47:8b.GEN.047.008 Farao akati kuna Jakobho, Manganiko mazuva amakore oupenyu hwenyu?

47:9b.GEN.047.009 Jakobho akati kuna Farao, Mazuva amakore outorwa hwangu makore ane zana namakumi matatu; mazuva amakore oupenyu hwangu akanga ari mashoma hawo, akaipa, haana kusvikira pamazuva amakore oupenyu hwamadzibaba angu pamazuva outorwa hwavo.

47:10b.GEN.047.010 Jakobho akaropafadza Farao, akabuda pamberi paFarao.

47:11b.GEN.047.011 Zvino Josefa akapa baba vake navana vababa vake pokugara, akavapa nzvimbo panyika yeIjipiti, kuti ive yavo, pakaisvonaka panyika iyo, panyika yeRamesesi, sezvaakarairwa naFarao.

47:12b.GEN.047.012 Josefa akachengeta baba vake, navana vababa vake, navose veimba yababa vake, akavapa zvokudya achiverenga navana vavowo. Josefa anotengera Farao nyika yose nezvokudya

47:13b.GEN.047.013 Zvino pakanga pasina zvokudya panyika yose, nokuti nzara yakanga iri huru, nyika yeIjipiti nenyika yeKenani dzikaziya nenzara.

47:14b.GEN.047.014 Josefa akaunganidza mari yose yakanga iri panyika yeIjipiti, napanyika yeKenani, yavakatenga zviyo nayo, Josefa akaisa mari iyo mumba maFarao.

47:15b.GEN.047.015 Mari yose yakati yapera munyika yeljipiti, napanyika yeKenani, vaIjipiti vose vakauya kuna Josefa, vakati, Tipei zvokudya, nokuti tingafa seiko pamberi penyu? Nokuti mari yapera.

47:16b.GEN.047.016 Josefa akati, Uyai nemombe dzenyu, ndikupei zvokudya pamusoro pezvipfuwo zvenyu, kana mari yapera.

47:17b.GEN.047.017 Zvino vakauya kuna Josefa nezvipfuwo zvavo; Josefa akavapa zvokudya, vachitsinhanha namabhiza, namakwai, nemombe, nembongoro; akavararamisa nezvokudya, vachitsinhanha nezvipfuwo zvavo zvose gore iroro.

47:18b.GEN.047.018 Gore iroro rakati rapera, vakauya kwaari negore rechipiri, vakati kwaari, Hatingavanziri ishe wedu kuti mari yedu yose yapera, mapoka ezvipfuwo ava ashe wedu; hakuchina chakasara pamberi pashe wedu, asi miviri yedu neminda yedu;

47:19b.GEN.047.019 zvino tingafa seiko pamberi penyu, isu nenyika yedu? Titengei henyu, isu nenyika yedu, tive varanda vaFarao; tipeiwo mbeu tirarame tirege kufa, nenyika irege kushanduka iite sango.

47:20b.GEN.047.020 Zvino Josefa akatengera Farao nyika yose yeIjipiti, nokuti vaIjipiti vakatengesa mumwe nomumwe munda wake, nokuti nzara yakanga iri huru pamusoro pavo, nyika ikava yaFarao.

47:21b.GEN.047.021 Kana vari vanhu akavatamisa kumaguta, kubva kumuganhu mumwe weIjipiti kusvikira kuno mumwe muganhu wayo.

47:22b.GEN.047.022 Asi nyika yavapirisiti yoga haana kuitenga, nokuti vapirisiti vakanga vaganhurirwa mugove wavo naFarao; vaidya mugove wavo wavaipiwa naFarao. Naizvozvo havana kutengesa nyika yavo:

47:23b.GEN.047.023 Zvino Josefa akati kuvanhu, Tarirai, ndakatengera Farao imwi nenyika yenyu nhasi, hedzi mbeu, mudyare panyika.

47:24b.GEN.047.024 Nenguva yokukohwa munofanira kupa Farao cheshanu, zvina zvichava zvenyu, zvive mbeu dzeminda, nezvokudya zvenyu, nezvavari mudzimba dzenyu, nezvokudya zvepwere dzenyu.

47:25b.GEN.047.025 Ivo vakati, Ndimwi makatichengeta; ngatiwane hedu nyasha panashe wedu, tive varanda vaFarao.

47:26b.GEN.047.026 Josefa akatema mutemo panyika yeIjipiti, uripo nanhasi, kuti Farao apiwe cheshanu; asi nyika yavapirisiti yoga haina kuva yaFarao.

47:27b.GEN.047.027 Zvino vaIsiraeri vakagara panyika yeIjipiti, panyika yeGosheni, vakazviwanira fuma imomo, vakabereka vana, vakawanda kwazvo. Mazuva okupedzisira aJakobho

47:28b.GEN.047.028 Jakobho akagara panyika yeljipiti makore ane gumi namanomwe; naizvozvo mazuva aJakobho makore oupenyu hwake, akanga ari makore ane zana namakumi mana namanomwe.

47:29b.GEN.047.029 Zvino nguva yokufa kwaIsiraeri yakanga yaswedera, iye akadana mwanakomana wake Josefa, akati kwaari, Kana ndawana nyasha kwauri, chiisa hako ruoko rwako pasi pechidya changu, undiitire ngoni nezvokwadi; rega hako kundiviga paIjipiti;

47:30b.GEN.047.030 asi kana ndavata namadzibaba angu, undibvise paIjipiti, unondiviga muhwiro hwavo. Iye akati, Ndichaita sezvamataura.

47:31b.GEN.047.031 Vakati, Ndipikire; iye akavapikira. Ipapo Isiraeri akakotamira pamusoro wouvato hwake.

48

48:1b.GEN.048.001 Shure kwaizvozvo Josefa akaudzwa, zvichinzi, Tarira, baba vako vanorwara; iye akatora vanakomana vake vaviri, Manase naEfuremu.

48:2b.GEN.048.002 Jakobho akaudzwa, zvichinzi, Tarirai, mwanakomana wenyu, Josefa, wauya kwamuri. Isiraeri akazvisimbaradza, akagara pauvato.

48:3b.GEN.048.003 Zvino Jakobho akati kuna Josefa, Mwari Wamasimbaose akazviratidza paRuzi, panyika yeKenani, akandiropafadza,

48:4b.GEN.048.004 akati kwandiri, Tarira, ndichakuberekesa, ndichakuwanza, ndichakuita ndudzi zhinji; ndichapa vana vako vanokutevera nyika ino, ive yavo nokusingaperi.

48:5b.GEN.048.005 Zvino vanakomana vako vaviri, vawakaberekerwa panyika yeIjipiti, ndisati ndasvika kwauri paljipiti, ndavangu; Efuremu naManase vachava vangu savana Rubheni naSimiyoni.

48:6b.GEN.048.006 Asi vana vako, vawakabereka shure kwavo, vachava vana vako, vachatumidzwa nezita ravakuru vavo panhaka yavo.

48:7b.GEN.048.007 Kana ndirini, pakubva kwangu paPadhani, ndakafirwa naRakeri panyika yeKenani munzira ndasvika pedo neEfurata, ndikamuvigapo panzira inoenda Efurata (rimwe zita ndiBheterehemu).

48:8b.GEN.048.008 Isiraeri akaona vanakomana vaJosefa, akati, Ndivananiko?

48:9b.GEN.048.009 Josefa akati kuna baba vake, Ndivo vanakomana vangu vandakapiwa pano naMwari. Vakati, Douya navo kwandiri ndivaropafadze.

48:10b.GEN.048.010 Zvino meso aIsiraeri akanga oona madzerere nokukwegura, akanga asisagoni kuona. Akavaswededza kwavari, Isiraeri akavatsvoda, akavambundikira.

48:11b.GEN.048.011 Isiraeri akati kuna Josefa, Handina kufunga kuti ndichaona chiso chakozve, zvino tarira, Mwari akandionesa navana vakowo.

48:12b.GEN.048.012 Josefa akavabvisa pakati pamabvi avo akakotamira pasi nechiso chake.

48:13b.GEN.048.013 Josefa akavabata vari vaviri, Efuremu norudyi rwake kuruboshwe rwaIsiraeri, naManase noruboshwe rwake kurudyi rwaIsiraeri, akavaswededza pedo naye.

48:14b.GEN.048.014 lsiraeri akatambanudza ruoko rwake rworudyi, akaruisa pamusoro paEfuremu, aiva muduku, noruoko rwake rworuboshwe pamusoro waManase, akapesanisa maoko ake achizviziva, nokuti Manase akanga ari wedangwe.

48:15b.GEN.048.015 Akaropafadza Josefa, akati, Mwari uya, akafamba madzibaba angu pamberi pake, vana Abhurahamu naIsaka, Mwari akandifudza paupenyu hwangu hwose kusvikira zuva ranhasi;

48:16b.GEN.048.016 mutumwa wakandidzikunura pane zvakaipa zvose, ngaaropafadze vanakomana ava; zita rangu ngaritumidzwe kwavari, namazita amadzibaba angu, Abhurahamu naIsaka, vawande kwazvo panyika.

48:17b.GEN.048.017 Zvino Josefa akati achiona kuti baba vake vaisa ruoko rwavo rworudyi pamusoro waEfuremu, hazvina kumufadza, akabata ruoko rwababa vake, kuti arubvise pamusoro waEfuremu, aruise pamusoro waManase.

48:18b.GEN.048.018 Josefa akati kuna baba vake, Regai kudaro, baba vangu, nokuti ndiye wedangwe, isai ruoko rwenyu pamusoro wake.

48:19b.GEN.048.019 Baba vake vakaramba, vakati, Ndinoziva, mwana wangu, ndinoziva; naiyewo achava rudzi, naiye achava mukuruwo, asi munununa wake achava mukuru kwaari, vana vake vachava ndudzi zhinji.

48:20b.GEN.048.020 Akavaropafadza nomusi iwoyo, akati, Newe vaIsiraeri vacharopafadza, vachiti, Mwari ngaakuite saEfuremu naManase. Akaisa Efuremu pamberi paManase.

48:21b.GEN.048.021 Zvino Isiraeri akati kuna Josefa, Tarira, ndofa, asi Mwari achava nemi, achakudzoserai kunyika yamadzibaba enyu.

48:22b.GEN.048.022 Newe ndinokupa mugove mumwe kupfuura vamwe vana vababa vako, uya wandakatorera vaAmori nomunondo wangu nouta hwangu.

49

49:1b.GEN.049.001 Zvino Jakobho akadana vanakomana vake, akati, Unganai, ndikuudzei zvamuchaitirwa namazuva anotevera.

49:2b.GEN.049.002 Unganai, munzwe imwi vanakomana vaJakobho, Teererai Isiraeri, baba venyu.

49:3b.GEN.049.003 Rubheni, iwe uri dangwe rangu, simba rangu, nokutanga kwesimba rangu; Ukuru hwokukudzwa, noukuru hwesimba;

49:4b.GEN.049.004 Unotutuma semvura, haungavi noukuru; Nokuti wakakwira kuuvato hwababa vako, Ukahusvibisa; wakakwira kumubhedha wangu.

49:5b.GEN.049.005 Simiyoni naRevhi vana vamai vamwe; Minondo yavo inhumbi dzokurwa nesimba.

49:6b.GEN.049.006 Mweya wangu, rega kupinda pakurangana kwavo. Kukudzwa kwangu, rega kusanganiswa neungano dzavo; Nokuti pakutsamwa kwavo vakauraya vanhu, Nokuda kwavo vakagura marunda emombe.

49:7b.GEN.049.007 Kutsamwa kwavo ngakutukwe, nokuti kwakanga kuri kukuru; Nehasha dzavo, nokuti dzakanga dzakaipa; Ndichavaparadzanisa pakati paJakobho, nokuvaparadzira pakati paIsiraeri.

49:8b.GEN.049.008 Iwe Judha, ucharumbidzwa nehama dzako; Ruoko rwako ruchava pamitsipa yavavengi vako, Vana vababa vako vachakotamira pamberi pako.

49:9b.GEN.049.009 Judha mwana weshumba; Iwe mwanakomana wangu, wakwira uchibva pane zvakaurawa; Wakakotama, wakanyanga seshumba, Seshumbakadzi; ndianiko achamumutsa?

49:10b.GEN.049.010 Tsvimbo youshe haingabvi kuna Judha, Kana mudonzvo, womubati pakati petsoka dzake, Kusvikira Shiro auya; Ndudzi dzose dzavanhu dzichamuerera iye.

49:11b.GEN.049.011 Unosungira mbongoro yake pamuzambiringa, Nomwana wembongoro yake pamuzambiringa wakaisvonaka; Wakasuka nguvo dzake newaini, Nezvokufuka zvake muropa ramazambiringa.

49:12b.GEN.049.012 Meso ake achatsvuka newaini, Meno ake achachena nomukaka.

49:13b.GEN.049.013 Zebhuroni uchagara pamhenderekedzo dzegungwa; iye achava mhenderekedzo panopinda zvikepe; Muganhu wake uchasvika paSidhoni.

49:14b.GEN.049.014 Isakari imbongoro ine simba, Inovata pasi, pakati pamatanga amakwai;

49:15b.GEN.049.015 Akaona zororo kuti rakanaka, Nenyika kuti inofadza, Akarerekera fudzi rake kuti atakure, akava mubatiri wechibharo.

49:16b.GEN.049.016 Dhani achatonga mhaka dzavanhu vake, Sorumwe rwamarudzi alsiraeri.

49:17b.GEN.049.017 Dhani achava senyoka munzira, Semvumbi mugwara, Inoruma zvitsitsinho zvebhiza; Kuti mutasvi waro awire pasi neshure.

49:18b.GEN.049.018 Ndakamirira ruponeso rwenyu imwi Jehovha.

49:19b.GEN.049.019 Gadhi achavambwa nehondo, Asi iye achavavamba pazvitsitsinho zvavo.

49:20b.GEN.049.020 Asheri achava nezvokudya zvakakora; Iye achauya nezvinonaka zvinofanira madzishe.

49:21b.GEN.049.021 Nafutari isheche yemhembwe yakasununguka, Anotaura mashoko akanaka.

49:22b.GEN.049.022 Josefa idavi rinobereka, Idavi rinobereka patsime; matavi ake anodarika madziro.

49:23b.GEN.049.023 Vapfuri nouta vakamutambudza kwazvo, Vakamupfura, vakamuvenga;

49:24b.GEN.049.024 asi uta hwake hwakaramba hune simba, Maoko ezvanza zvake akasimbiswa Namaoko oWamasimbaose waJakobho, (Ndipo panobva Mufudzi, neBwe raIsiraeri),

49:25b.GEN.049.025 Mwari wababa vako achakubatsira; Wamasimbaose, achakuropafadza, Neropafadzo dzinobva kudenga kumusoro, Ropafadzo dzinobva pamvura yakadzika iri pasi, Ropafadzo dzamazamu nedzechizvaro.

49:26b.GEN.049.026 Ropafadzo dzababa vako Dzinopfuura ropafadzo dzamateteguru angu, kusvikira kumugumo wamakomo asingaperi; dzichagara pamusoro waJosefa, Pamusoro waiye akanga ari muchinda pakati pehama dzake.

49:27b.GEN.049.027 Bhenjamini ibere rinoparadza; Mangwanani achadya chakaurawa, Madeko achagovera zvaakapamba.

49:28b.GEN.049.028 Ava vose ndiwo marudzi ane gumi namaviri alsiraeri; ndizvo zvakataura baba vavo kwavari, akavaropafadza; vakaropafadza mumwe nomumwe nokuropafadzwa kwake.

49:29b.GEN.049.029 Akavaraira, akati kwavari, Ini ndobva ndosanganiswa navanhu vangu; mundondiviga kuna madzibaba angu, mubako riri mumunda waEfuroni, muHeti,

49:30b.GEN.049.030 bako riri mumunda weMakapera, pakatarisana neMamure, panyika yeKenani, riya rakatengwa naAbhurahamu pamwechete nomunda kuna Efuroni, muHeti, kuti zvive zvake, ive nzvimbo yake yokuviga;

49:31b.GEN.049.031 ndipo pavakaviga Abhurahamu naSara, mukadzi wake; ndipo pavakaviga Isaka naRabheka, mukadzi wake; ndipo pandakaviga Rea;

49:32b.GEN.049.032 munda uya nebako riri mukati mawo, zvakatengwa kuvana vaHeti.

49:33b.GEN.049.033 Zvino Jakobho akati apedza kuraira vanakomana vake, akadzosera tsoka dzake pauvato, mweya wake ukabuda, akasanganiswa navanhu vake

50

50:1b.GEN.050.001 Zvino Josefa akawira pamusoro pechiso chababa vake, akachema pamusoro pake, akamutsvoda.

50:2b.GEN.050.002 Josefa akaraira varanda vake dzakanga dziri nanga, kuti vasasike baba vake, nanga dzikasasika Isiraeri.

50:3b.GEN.050.003 Vakapedza mazuva makumi mana naye, nokuti ndiwo aiva mazuva okusasika; navaljipiti vakamuchema mazuva makumi manomwe.

50:4b.GEN.050.004 Zvino mazuva okuchema akati apera, Josefa akataura naveimba yaFarao, akati, Zvino kana ndawana nyasha kwamuri, dorevai munzeve dzaFarao, muti,

50:5b.GEN.050.005 Baba vangu vakandipikisa, vachiti tarirai, ndofa, muhwiro hwandakazvicherera munyika yeKenani, ndimo maunofanira kundivigamo. Naizvozvo zvino donditenderai henyu kuti ndikwire, ndindoviga baba vangu, ndogodzoka.

50:6b.GEN.050.006 Farao akati, Kwira, undoviga baba vako, sezvavakakupikisa.

50:7b.GEN.050.007 Ipapo Josefa akakwira kundoviga baba vake, navaranda vose vaFarao vakakwira naye, vakuru veimba yake, navakuru venyika yeIjipiti,

50:8b.GEN.050.008 naveimba yose yaJosefa, navana vababa vake, naveimba yababa vake; asi pwere dzavo dzoga, namakwai avo, nemombe dzavo, vakazvisiya panyika yeGosheni,

50:9b.GEN.050.009 ngoro navatasvi vamabhiza vakakwirawo naye, rikava boka guru-guru.

50:10b.GEN.050.010 Vakasvika paburiro raAtadhi, riri mhiri kwaJorodhani, vakamuchemapo nokuchema kukuru kwazvo; akachema baba vake mazuva manomwe.

50:11b.GEN.050.011 Zvino vanhu vaigara panyika yeKenani vakati vachiona kuchema ikoko paburiro raAtadhi, vakati, Kuchema uku kukuru ndokwavaIjipiti; naizvozvo nzvimbo iyoyo ikatumidzwa Abherimiziraimu, iri mhiri kwaJorodhani.

50:12b.GEN.050.012 Vanakomana vake vakamuitira sezvaakanga avaraira;

50:13b.GEN.050.013 nokuti vanakomana vake vakandomuisa kunyika yeKenani, vakamuviga mubako romunda weMakapera, riya rakatengwa naAbhurahamu, pamwechete nomunda kuna Efuroni muHeti, pakatarisana neMamure, kuti zvive zvake, ive nzvimbo yake yokuviga.

50:14b.GEN.050.014 Zvino Josefa akati aviga baba vake, akadzokera Ijipiti, iye navakoma vake, navose vakanga vakwira naye kundoviga baba vake.

50:15b.GEN.050.015 Zvino vakoma vaJosefa vakati vachiona kuti baba vavo vafa, vakati, Zvimwe Josefa achativenga, nokutitsiva kwazvo zvakaipa zvose zvatakamuitira.

50:16b.GEN.050.016 Naizvozvo vakatuma shoko kuna Josefa, vachiti, Baba venyu vakaraira, vasati vafa, vachiti,

50:17b.GEN.050.017 Taurai naJosefa, muti, Zvino dokanganwirai henyu kutadza kwavakoma venyu; nezvivi zvavo, nokuti vakakuitirai zvakaipa; zvino dokanganwirai kutadza kwavaranda vaMwari wababa venyu. Josefa akachema pakutaura kwavo naye.

50:18b.GEN.050.018 Vakuru vake vakaendawo, vakawira pasi pamberi pake, vakati, Tarirai, tiri varanda venyu.

50:19b.GEN.050.019 Josefa akati kwavari, Musatya, nokuti ini ndiri pachigaro chaMwari here?

50:20b.GEN.050.020 Kana murimwi, makandifungira zvakaipa, asi Mwari akafunga kuti zvive zvakanaka, kuti zviitwe sezvinoitwa nhasi, kuti vanhu vazhinji vararamiswe.

50:21b.GEN.050.021 Naizvozvo zvino musatya, ndichakuchengetai, nepwere dzenyu. Akavanyaradza, akataura navo nomoyo wakanaka.

50:22b.GEN.050.022 Josefa akagara Ijipiti, iye naveimba yababa vake; Josefa akagara makore ane zana negumi.

50:23b.GEN.050.023 Josefa akaona vana vaEfuremu vorudzi rwechitatu, navana vaMakiri, mwanakomana waManase, vakaberekerwa pamabvi aJosefa.

50:24b.GEN.050.024 Josefa akati kuhama dzake, Ndofa, asi Mwari achakumutsai zvirokwazvo, nokukubudisai panyika ino, muende kunyika yaakapikira Abhurahamu naIsaka, naJakobho.

50:25b.GEN.050.025 Josefa akapikisa vana vaIsiraeri, akati, Mwari achakumutsai zvirokwazvo, nemi mutakure mapfupa angu abve pano.

50:26b.GEN.050.026 Ipapo Josefa akafa, ava namakore ane zana negumi; vakamusasika, akaiswa mubhokisi paIjipiti.


Holder of rights
Multilingual Bible Corpus

Citation Suggestion for this Object
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Genesis (Shona). Genesis (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C557-8