1
Simeoni Petro, muranda nomuapostora waJesu Kristu, kunavakagoverwa kutenda kumwe nokwedu, kunokosha, nokururama kwaMwari wedu noMuponesi Jesu Kristu;
nyasha ngadzive nemi norugare ngaruwanzwe pakuziva Mwari naJesu, Ishe wedu;
nokuti nesimba rovuMwari bwake takapiwa zvose zvinodikanwa pavupenyu napakunamata Mwari, nenzira yokumuziva iye wakatidana nokubwinya kwake nokunaka;
akatipa nazvo zvipikirwa zvinokosha zvakakura kwazvo; kuti nazvo muve vanhu vakagoverwa vuMwari, matiza kuvora kuri panyika nokuchiva. Shingairai pavukristu
Zvino nemhaka iyi muchishingaira kwazvo wedzerai kunaka pakutenda kwenyu, napakunaka wedzerai kuziva;
napakuziva, kuzvidzora; napakuzvidzora, kutsungirira; napakutsungirira, kunamata Mwari;
napakunamata Mwari, kuda vatendi, napakuda vatendi, rudo.
Nokuti kana zvinhu izvi zviri mamuri, zvichiramba zvichiwanzwa, zvichakuitai vanhu vasinovusimbe navasingashaiwi zvibereko pakuziva Ishe wedu, Jesu Kristu.
Nokuti munhu, usinaizvozvi ibofu, unovona zviri pedo bedzi, wakanganwa kusukwa kwezvivi zvake zvakare.
Saka, hama dzangu, shingairai kwazvo kuti musimbise kudanwa nokusanangurwa kwenyu; nokuti kana muchiita izvozvi hamungatongogumburwi;
nokuti muchazviita muchazarurirwa zvakanaka kuti mupinde muvushe bwusingaperi bwaShe wedu, noMuponesi Jesu Kristu.
Saka handingaregi kukuyevudzai zvinhu izvi nguva dzose, kunyange muchizviziva henyu, vuye makasimba pazvokwadi yamunayo.
Ndinoti zvakanaka, kuti ndichiri mutabhernakeri ino ndikumutsei nokukuyevudzai;
ndichiziva kuti kubviswa kwetabhernakeri yangu kwava pedo, sezvandakaratidzwa naShe wedu Jesu Kristu.
Zvino ndichashingaira, kuti mugogona kurangarira zvinhu izvi nguva dzose kana ndaenda.
Nokuti hatina kutevera ngano dzokufungwa nenjere, nguva yatakakuzivisai simba nokuvuya kwaShe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri vanhu vakavona vumambo bwake.
Nokuti iye wakapiwa kukudzwa nokubwinya naMwari, Baba, panguva iya, yakavuya inzwi rakadai kwaari.richibva kukubwinya kukuru-kuru, richiti: Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira.
Inzwi iri takarinzwa isu, richibva kudenga, nguva yatakanga tinaye mugomo dzvene.
Vuye tineshoko rovuporofita rakasimba kwazvo, ramunoita zvakanaka kana muchiriterera, rakaita somwenje unovhenekera munerima, kusvikira vutonga bwuchitsuka, nenyamasase ichibudira moyo yenyu;
muchiziva pakutanga, kuti hakunovuporofita bworugwaro bwunongodudzirwa nomunhu;
nokuti hakunovuporofita bwakatongovuya nokuda kwomunhu, asi vanhu vatswene vaMwari vakataura, vachimutswa noMweya Mutsvene.
2
Asi kwakanga kunavaporofita venhema pakati pavanhu, sezvavachavapo pakati penyu vo vadzidzisi venhema, vachapinza pakavanda dzidziso dzakatsauka dzinoparadza, vachiramba naiye Tenzi wakavatenga, vachizviwisira kuparadzwa kunokurumidza.
Vazhinji vachatevera vutere bwavo; nokuda kwavo nzira yezvokwadi ichazvidzwa.
pakukarira kwavo mari vachakunyengerai namashoko amano-mano; kutongwa kwavo, kwakatarwa kare, hakunonoki, nokuparadzwa kwavo hakukotsiri.
Nokuti kana Mwari asina kurega vatumwa vakatadza, asi wakavakandira muTartaro nokuvaisa kumakomba erima, kuti vachengeterwe kutongwa;
akasarega vo nyika yekare, asi wakaponesa Noa muparidzi wokururama pamwe chete navamwe vanomwe, nguva yaakavuyisa mvura zhinji panyika yavanhu vakanga vasingadi Mwari;
akashandura maguta eSodhoma neGomora akaaita madota, akaatongera kuti aparadzwe, akaaita chive chiratidzo kunaivo vachagara vasingadi Mwari;
akasunungura Roti, wakanga akarurama, wakazvidya moyo nokuda kwomufambiro wakasviba wavakashata.
(nokuti munhu uyu wakarurama, agere pakati pavo achivona nokunzwa, wakarwadzisa mweya wake wakarurama zuva rimwe nerimwe namabasa avo akanga asina kururama).
Ishe unoziva kusunungura pamiidzo vanonamata Mwari, nokuchengeta vasakarurama vave pakurobwa kusvikira pazuva rokutongwa;
zvikuru ivo vanofamba nomutovo wenyama pakuchiva kunosvibisa nokuzvidza vakuru; vanotsunga, vachiita nokuda kwavo, asingatyi kutuka avo vanokubwinya;
vatumwa, kunyange vanovapfuvura nesimba novukuru, havavuyi pamberi paShe nemhosva yokuvapomera nayo.
Asi ava zvavanotuka zvavasingazivi, vakaita semhuka dzisinomurangariro, dzakaberekwa kuti dzibatwe, dziparadzwe, naivo vachaparadzwa pakuvora kwavo,
vachiitirwa zvisakarurama, uri mubairo wokusarurama kwavo; savaya vanoti, mafaro kuita zvakaipa masikati, ivo makwapa namavara, vanofara nokunyengera kwavo kana vachidya nemi;
vanameso azere novupombwe, asingaregi kutadza; vanonyengera vanhu vasinesimba; vanomoyo wakadzidziswa kuchiva; ivo vana vokutukwa;
vakasiya nzira yakarurama, vakatsauka, vakatevera nzira yaBharami, mwanakomana waBheori, wakada mubairo wokusarurama;
asi wakarairwa pamusoro pokudarika kwake, nokuti mbongoro, isingagoni kutaura, yakataura nenzwi romunhu, ikadzivisa kupenga kwomuporofita.
Ivava matsime asinemvura, mhute inodzingwa nemhepo; ivo vakachengeterwa kusviba kwerima nokusingaperi peri.
Nokuti nokutaura kwavo mashoko mazhinji okuzvikudza asinamaturo, vanonyengera pakuchiva kwenyama novutere, avo vachangotiza vachibva kunavanogara pakutsauka;
vachivapikira kusunungurwa, nyamba ivo vamene varanda vokuvora; nokuti waakundwa naye, munhu unoitwa muranda wake.
Nokuti ivo, kana nenzira yokuziva Ishe, Muponesi Jesu Kristu, vambotiza havo zvinosvibisa zvenyika, kana vakabatwa nokukundwa zve nazvo, kuguma kwavo kwaipa kupfuvura kutanga kwavo.
Nokuti zvaiva nani kwavari kana vasaiziva nzira yokururama, pakuti vadzoke pamurairo mutsvene wavakapiwa, wavakanga vambouziva havo.
Zvinorebwa neshumo yazvokwadi ndizvo zvakaitwa kwavari, zvinoti: Imbwa yakadzokera kumarutsi ayo, nenguruve yakanga yashambidzwa, kukuvumburuka mumatope.
3
Vadikanwa, iyi ndiyo mwadhi yechipiri yandinokunyorerai zvino; panaidzedzi dzose mbiri ndinomutsa ndangariro dzenyu ndichiku yevudzirai;
kuti mugorangarira mashoko akataurwa kare navaporofita vatsvene, nomurairo waShe, Muponesi, wamakapiwa navaapostora venyu;
pakutanga muzive henyu chinhu ichi, kuti pamazuva okupedzisira vaseki vachavuya vachiseka, vachifamba nokuchiva kwavo,
vachiti: Chipikirwa chokuvuya kwake chiripiko zvino? Nokuti kubva pakuparara kwamadzibaba, zvinhu zvose zvinongoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakutanga kwokusikwa.
Nokuti vanokanganwa nobwoni chinhu ichi, kuti kare denga raivapo, nenyika yakabudiswa mumvura, yakaitwa nemvura neshoko raMwari;
nazvo nyika, yaivapo nguva iyo. Yakafukidzwa nemvura ikaparadzwa.
Asi denga riripo zvino nenyika zvakavigirwa moto neshoko ireri zvinochengeterwa zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari.
Asi vadikanwa, musakanganwa chinhu chimwe ichi, kuti kunaShe zuva rimwe rakaita samakore anechuru, namakore anechuru, sezuva rimwe.
Ishe haanonoki kuita sezvaakapikira, sezvinoreva vamwe vachiti: Hunonoka; asi unomoyo murefu kwatiri, nokuti haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vasvike pakutendevuka.
Asi zuva raShe richavuya sembavha; vusiku naro denga richapfuvura nokutinhira kukuru, nezvedenga zvichaparadzwa zvichipiswa, nenyika namabasa ari mairi achapiswa.
Izvi zvose zvazvichaparadzwa saizvozvo, imi munofanira kuva vanhu vakadiniko pamufambire wenyu mutsvene nokunamata Mwari,
imi munotarira nokushuva vo kwazvo kuvuya kwezuva raMwari; naro denga richaparadzwa nokutsva, nezvedenga zvichanyauka zvichipiswa.
Asi sezvaakapikira, tinotarira denga idzva nenyika itsva, munogara kururama mazviri.
Saka vadikanwa, zvamunotarira zvinhu izvi, shingairai kuti muwanikwe naye munorugare, musinoruvara, musinemhosva;
muchiti, moyo murefu waShe wedu ruponeso; saPauro, hama yedu inodikanwa, akakunyorerai vo nokuchenjera kwaakapiwa;
sezvaanotaura mumwadhi dzake dzose pamusoro pezvinhu izvi; madziri munezvimwe zvikukutu kunzwisiswa; zvino minamiswa, samamwe magwaro vo, navasingazivi navasinesimba, kusvikira vaparadzwa.
Naizvozvo imi vadikanwa, zvamunoziva zvinhu izvi zvisati zvaitwa, chenjerai kuti murege kurashwa nokutsauka kwavakashata, muwe pakusimba kwenyu.
Asi kurai panyasha napakuziva Ishe wedu, Muponesi Jesu Kristu. Ngaave nokubwinya zvino, nokusingeperi. Ameni.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. 2 Peter (Shona). 2 Peter (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C60B-D