1

Pauro, muapostora waKristu Jesu, nokuda kwaMwari, naTimotio, hama yedu kukereke yaMwari iri paKorinte, pamwe chete navatsvene vose vari paAkaya yose:
Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kunaMwari, Baba vedu, naShe Jesu Kristu. Kuvonga kwaPauro
Mwari ngaavongwe, ivo Baba vaShe wedu Jesu Kristu, Baba vengoni, Mwari wokunyaradza kwose;
iye unotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose, kuti isu tive nesimba rokunyaradza vari mukutambudzika kupi nokupi, nokunyaradzwa kwatinonyaradzwa nako naMwari.
Nokuti madambudziko aKristu se zvaakava mazhinji kwatiri, saizvozvo vo kunyaradzwa kwedu kwakava kuzhinji naKristu.
Zvino kana tichitambudzika hedu isu, zvinoitwa nokuda kwokunyaradzwa nokuponeswa kwenyu; kana tichinyaradzwa isu, zvinoitwa nokuda kwokunyaradzwa kwenyu, kunokusimbisai kutsungirira pamadambudziko iwayo atinotambudzika vo nawo.
Tariro yedu pamusoro penyu yakasimba, nokuti tinoziva kuti sezvamunosongana nesu pamadambudziko, saizvozvo vo pakunyaradzwa.
Nokuti hatidi, hama dzangu, kuti murege kuziva kutambudzika kwakatiwira paAsia, kuti takaremerwa kwazvo-kwazvo kukunda simba redu, nokudaro takarasha moyo tichiti hatingararami;
asi pamoyo pedu isu takanga tatozvitongera rufu, kuti tirege kuvimba nesimba redu, asi naMwari unomutsa vakafa;
iye wakatisunungura parufu rukuru rwakadai, vuye uchatisunungura; Iye watinovimba kuti unotisunungura;
nemivo muchibatsirana pakutikumbirira kwenyu, kuti vanhu vazhinji vavonge pamusoro pedu nokuda kwechipo chedu chenyasha chatakapiwa nokunyengetera kwavazhinji. Kusazvikudza kwaPauro
Nokuti kuzvirumbidza kwedu ndikoku: Kupupura kwehana yedu, kuti takafamba panyika, zvikuru kwamuri, novutsvene nezvokwadi yaMwari, tisingafambi novuchenjeri bwenyama, asi nenyasha dzaMwari.
Nokuti hatikunyoreriyi zvimwe zvinhu, asi izvo zvamunorava nezvamunotenda; ndinoti dai muchizvitenda kusvikira pakuguma;
sezvamakatitendavo panezvimwe, kuti isu tiri kurumbidzwa kwenyu, semivo muchava kurumbidzwa kwedu nezuva raShe Jesu. Pauro wakaregerei kuenda Korinte
Ndichiziva izvozvi, ndakanga ndichida kutanga kuvuya kwamuri, kuti mukomborerwe rwechipiri;
ndipfuvure nokwenyu ndichienda Makedhonia, nokuvuya nokwenyu zve, ndichibva Makedhonia, ndiperekedzwe nemi ndichienda Judhea.
Zvino zvandakanga ndichida kuita izvozvo, ndakaita nokushanduka moyo here? Kana, zvandinoda kuita ndinozvida nenyama here, kuti ini pamwe nditi: Hongu, hongu, pamwe: Kwete, kwete?
NaMwari wakatendeka, shoko redu kwamuri harizi hongu nakwete.
Nokuti Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, uyo wakaparidzwa pakati penyu nesu neni naSirivhano naTimotio wakanga asiri hongu nakwete, asi wakanga ari hongu maari.
Nokuti zvipikirwa zvaMwari kunyange zviri zvizhinji sei, maari ndihongu; naizvozvo naiye vo ndiAmeni, kuti Mwari akudzwe nesu.
Zvino, uyo unotisimbisa munaKristu pamwe chete nemi, nokutizodza, ndiMwari;
uyo wakatiisira vo chisimbiso, akatipa rubatso rwoMweya mumoyo medu.
Asi ndinodana Mwari, ave chapupu pamoyo wangu, kuti handina kuzovuya Korinte, nokuti ndakakunzwirai tsitsi.
Hatiiti simba nokutenda kwenyu, asi tinokubatsirai kuti mufare; nokuti mumire nokutenda.

2

Asi ndakati mumoyo mangu, kuti handidi kuvuya zve kwamuri nokuchema.
Nokuti kana ndichikuchemedzai, ndianiko uchandifadza, kana asiri iye wakachemedzwa neni?
Zvino ndakanyora chinhu ichi kuti kana ndasvika, ndirege kuchemedzwa naivo vaifanira kundifadza; ndichikutendai mose, kuti kufara kwangu ndokwenyu mose.
Nokuti ndakunyorerai nemisodzi mizhinji pakutambudzika kukuru nenhamo yomoyo; ndisingati muchemedzwe, asi kuti muzive rudo rukuru rwandinokudai narwo.
Zvino kana mumwe akachemedza hake, haana kundichemedza ini, asi ndingati zvimwe ndirege kunyanyisaimi mose.
Kurova uku kwavanhu vazhinji kunoringana munhu wakadai.
Naizvozvo zvirinani kuti mumukanganwire nokumunyaradza, kuti arege kuvodzwa moyo kwazvo neshungu huru.
Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri kuti musimbise rudo rwenyu kwaari.
Nokuti ndakanyora vo izvi, kuti ndikuidzei, ndizive kana muchiteerera pazvinhu zvose.
Zvino iye wamunokanganwira, neni ndinomukanganwira vo; nokuti izvo zvandakanganwira ini, kana ndinenge ndakakanganwira chinhu, ndakazviita nokuda kwenyu pamberi paKristu;
kuti tirege kunyengerwa naSatani; nokuti hatizi vasingazivi mano ake. Zvibereko zvakuparidza kwaPauro
Zvino, ndakati ndichisvika paTroasi kuparidza Evhangeri yaKristu, ndichizarurirwa mukova munaKristu,
ndakanga ndisinezororo pamweya wangu, nokuti handina kuwanapo Tito, hama yangu; asi ndakawonekana navo, ndikaenda Makedhonia.
Asi Mwari ngaavongwe, unotikundisa nguva dzose munaKristu, unoratidza nesu kwose-kwose bwema bwokuziva kwake.
Nokuti isu tiri bwema bwakanaka bwaKristu kunaMwari, pakati paivo vanoponeswa navanoparara.
Kunavamwe tiri bwema bworufu bwunoisa kurufu; kuna vamwe bwema bwovupenyu bwunoisa kuvupenyu. Zvino ndianiko ungakwanisa zvinhu zvakadai?
Nokuti hatifanani navamwe vazhinji vanokanganisa shoko raMwari; asi tinotaura munaKristu nezvokwadi, sezvinobva kunaMwari, pamberi paMwari.

3

Tinotanga zve kuzvirumbidza kwamuri here? Tinotsvaka here savamwe mwadhi dzinoenda kwamuri, kana dzinobva kwamuri, dzingatirumbidza?
Imi muri mwadhi yedu yakanyorwa mumoyo medu, inozikanwa nokuverengwa navanhu vose;
makavonekwa kuti muri mwadhi yaKristu, yakagadzirwa nesu, isina kunyorwa neinki, asi noMweya waMwari mupenyu; isina kunyorwa pamahwendefa amabwe, asi pamahwandefa enyama omoyo.
Kutenda kwakadai tinako naKristu, kunaMwari;
hatiti takakwana isu timene, kuti titeme chinhu timene; asi kukwana kwedu kunobva kunaMwari;
iye wakati kwanisa kuti tive vashumiri vesungano itsva, isati iri yezvakanyorwa asi yoMweya; nokuti zvakanyorwa zvinovuraya, asi Mweya unopa vupenyu.
Zvino kana kushumira, kwakavuyisa rufu, kwanga kwakatemwa namaretere pamabwe, kwakavuya nokubwinya, kwakanga kwakadaro kuti vana vaIsraeri vakakoniwa kutarisisa chiso chaMosesi nokuda kwokubwinya kwechiso chake kwakanga kuchipfuvura hako
ko kushumira kwoMweya hakungavi nokubwinya kukuru here?
Nokuti kana kushumira,kokutongeswa kwakavuyisa kubwinya zvikuru sei kushumira kokururama kuchakunda pakubwinya.
Nokuti naicho chakabwinyiswa, hachina kubwinyiswa, kana pachinhu ichi tichichifananidza nokubwinya kuno kunda.
Nokuti kana icho chinopfuvura chaiva nokubwinya, zvikuru sei icho chinogara ndicho chiri pakubwinya.
Naizvozvo, zvatinetariro yakadai, tinotaura tisingatyi napaduku,
tisingaiti saMosesi, waiisa chifukidziro pachiso chake, kuti vana vaIsraeri varege kutarisisa kuguma kwezvinopfuvura.
Asi ndangariro dzavo dzakapofumadzwa nokuti kusvikira nhasi chidzitiro ichi chichiripo pakuverengwa kwe tesitamende yekare changa chichifanira kubviswa muna Kristu.
Asi kusvikira nhasi, kana Mosesi achirahwa, chifukidziro chiripo pamoyo yavo.
Zvino kana munhu achitendevukira kunaShe, chifukidziro chinobviswa.
Ishe ndiMweya; zvino panoMweya waShe, pane sununguko.
Zvino isu tose tinoti tichitarira nechiso chisina kufukidzirwa kubwinya kwaShe sapachivoni-voni, tinoshandurwa tichifanana nomufananidzo iwoyo, tichibva pakubwinya kumwe tichienda kuno kumwe kubwinya, sezvinobva kuMweya waShe

4

Saka, zvatinako kushumira uku, patakanzwirwa ngoni napo, hatineti;
asi takaramba zvinhu zvakavanzika zvinonyadza, tisingafambi nokunyengera, tisingashatisi shoko raMwari; asi pakuratidza kwedu zvokwadi, tinozvitendisa kuhana dzavanhu vose pamberi paMwari.
Zvino kana Evhangeri yedu yakafukidzwa, yakafukidzwa kuna vanorashika;
kuna vasingatendi vakapofumadzirwa ndangariro namwari wenyika ino, kuti varege kuvhenekerwa nechiedza cheEvhangeri yokubwinya kwaKristu, uri mufananidzo waMwari.
Nokuti hatizviparidzi isu, asi Kristu Jesu kuti ndiye Ishe; nesu kuti tiri varanda venyu nokuda kwaJesu.
Nokuti Mwari, wakareva kuti chiedza chibude parima, ndiye wakavhenekera mumoyo yedu, kuti atipe chiedza chokuziva kubwinya kwaMwari kunovonekwa pachiso chaJesu Kristu.
Asi fuma iyi tinayo mumidziyo yevhu, kuti vukuru bwesimba bwuve bwaMwari, bwurege kuva bwedu.
Tinotambudzika pamativi ose, asi hatimanikidzwi; tinokanganiswa, asi hatina kurasha moyo;
tinotambudzwa, asi hatina kusiyiwa; takawisirwa pasi, asi hatina kuparadzwa;
tinoramba tichitakura nguva dzose mumuviri wedu kufa kwaShe Jesu, kuti novupenyu vo bwaJesu bwuratidzwe mumuviri wedu.
Nokuti isu vapenyu tinogara tichingoiswa pakufa nokuda kwaJesu, kuti novupenyu vo bwaJesu bwuratidzwe munyama yedu inofa.
Saizvozvo kufa kunobata matiri, asi vupenyu mamuri.
Zvino zvatinomweya iwoyu wokutenda, sezvazvakanyorwa; zvichinzi: Ndakatenda, saka ndakataura; nesuvo tinotenda saka tinotauravo;
tichiziva kuti iye wakamutsa Ishe Jesu, uchatimutsa vo isu pamwe chete naJesu; agotiisa pamberi pake pamwe chete nemi.
Nokuti zvinhu zvose zvinoitwa nokuda kwenyu, kuti nyasha zvadzakawanzwa navazhinji, dziwanze kuvonga, kuti Mwari akudzwe. Kutambudzika kwapano panyika ndokwenguva duku
Saka hatineti, asi kunyange munhu wedu wokunze achipera hake, munhu womukati unovandudzwa zuva rimwe nerimwe.
Nokuti kutambudzika kwedu, kwakareruka, kuripo chinguva chiduku, kunotiitira kubwinya kukuru kwakaisvo-naka kusingaperi;
tisingatariri zvinovonekwa, asi zvisingavonekwi; nokuti zvinovonekwa zvinopfuvura, asi zvisingavonekwi ndezvokusingaperi.

5

Nokuti tinoziva kuti kana imba yedu yenyika, tabhernakeri yedu, ichiputswa, tinechakavakwa chinobva kunaMwari, imba isina kuvakwa namavoko, isingaperi, iri kudenga.
Nokuti tinogomera vo mairi, tichishuva kuti tifukidzwe neimba yedu inobva kudenga;
kuti kana takafukidzwa hedu, hatingawanikwi tisina chatakafuka.
Nokuti nesu, tiri mutabhernakeri iyi tinogomera, tichiremerwa; tisingadi kuti tikutunurwe, asi kuti tifukidzwe, kuti chinofa chemedzwe novupenyu.
Zvino, uyo wakatigadzirira chinhu ichi ndiMwari, wakatipa vo rubatso rwoMweya.
Naizvozvo tinotsunga moyo nguva dzose, tichiziva kuti kana tichigara mumuviri hatigari kunaShe;
nokuti tinofamba nokutenda, hatifambi nokuvona;
tinotsunga moyo vo, tichiti zvirinani tirege kugara pamuviri, kuti tigare kunaShe.
Saka tinoshingaira kuti timufadze iye, kunyange tichigaramo, kunyange tisingagarimo.
Nokuti isu tose tinofanira kuratidzwa pamberi pechigaro chokutonga chaKristu;kuti mumwe nomumwe apiwe zvaakaita nomuviri, sezvaakaita, kana zvakanaka kana zvakaipa. Yananiso iri munaJesu Kristu
Naizvozvo zvatinoziva kutya kwaShe, tinogombedzera vanhu; asi tinoratidzwa hedu kunaMwari; vuye zvino ndinoti dai tichiratidzwa vo pahana dzenyu.
Hatizvirumbidzi zve kwamuri, asi tinokupai nzira yokurumbidza nokuda kwedu, kuti mugone kupindura avo vanovimba nezvinovonekwa, vasingavimbi nezvomoyo.
Nokuti kana tichipenga, takadaro nokuda kwaMwari; kana tiri vanhu kwavo, takadaro nokuda kwenyu.
Nokuti rudo rwaKristu runotimanikidza; zvatinoziva chinhu ichi kuti mumwe wakafira vose, zvino vose vakafa;
zvino iye wakafira vose, kuti avo vanorarama varege kuzozviraramira ivo, asi uyo wakafa nokumutswa nokuda kwavo.
Naizvozvo, kubvira zvino hatitongozivi munhu panyama; vuye kunyange takaziva Kristu panyama, kubvira zvino hatichamuzivi saizvozvo.
Saka kana munhu ari munaKristu, wava chisikwa chitsva, zvinhu zvakare zvapfuvura; tarirai, zvose zvava zvitsva.
Asi zvinhu zvose zvakabva kunaMwari, wakatiyananisa naye naJesu Kristu, akatipa kushumira kwokuyananisa;
ndiko kuti Mwari wakanga achiyananisa nyika naye munaKristu akasavaverengera kudarika kwavo, akatipa isu shoko rokuyananisa.
Naizvozvo tiri nhume nokuda kwaKristu, Mwari saanenge achikumbira zvikuru nesu; tinokumbira nokuda kwaKristu, tichiti: Yananiswai naMwari.
Uyo, wakanga asingazivi zvivi, wakamuita kuti ave zvivi nokuda kwedu; kuti isu tive kururama kwaMwari maari.

6

Zvino zvatinobatsirana naye, tinokumbira zvikuru kuti murege kugamuchira nyasha dzaMwari pasina.
(Nokuti iye unoti: Ndakakunzwa iwe nenguva yakafanira, Ndakakubatsira pazuva rokuponeswa; Tarirai, zvino inguva yakafanira; tarirai, zvino ndiro zuva rokuponeswa.)
Hatigumbusi vamwe nechinhu, kuti kushumira kwedu kurege kuzvidzwa;
asi pazvinhu zvose tinozviratidza savashumiri vaMwari, pakutsungirira kukuru, panhamo, pakushaiwa, pamadambudziko,
pakurobwa, pakusungwa, pakunyonganiswa, pamabasa, pakusavata, pakuzvinyima zvokudya;
pakuchena kwomoyo pakuziva, pamoyo murefu, pavunyoro, paMweya Mutsvene, parudo rusinganyengeri;
pashoko razvokwadi, pasimba raMwari, nenhumbi dzokurwa dzokururama, kurudyi nokuruboswe,
nokukudzwa, nokusakudzwa, neguhu rakaipa, neguhu rakanaka; savanyengeri, asi tiri vezvokwadi hedu;
savasingazikanwi, asi tichizikanwa hedu zvikuru; savanofa, asi, tarirai, tiri, vapenyu hedu; savanorobwa, asi tisingavurawi hedu;
savanochema, asi tichigara tichifara hedu; savarombo, asi tichifumisa vazhinji hedu; savasine chinhu, asi tinazvo zvose hedu. Vatsvene ngavaparadzane nezvakaipa zvose
Imi, vaKorinte, muromo wedu wakashama kwamuri, moyo wedu wakuriswa.
Hamumanikidzwi kwatiri, asi munomanikidzwa mumoyo menyu.
Zvino, mundidzosere saizvozvo (ndinotaura sokunavana vangu), imi vo mukuriswe moyo.
Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe chete navasingatendi; nokuti kururama kungava novukama bweiko nokusarurama? Chiedza chingayanana seiko nerima?
Kristu unganzwana seiko naBeriari? Unotenda ungava nomugove weiko nousingatendi?
Tembere yaMwari ingatenderana seiko nezvifananidzo? Nokuti isu tiri tembere yaMwari mupenyu; Mwari sezvaakareva; achiti: Ndichagara mukati mavo, nokufamba mukati mavo; ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu.
Saka Budai pakati pavo, muzviravure, ndizvo zvinotaura Ishe, Musabata chinhu chine tsvina; Ini ndichakugamuchirai,
Ndichava Baba venyu, Nemi muchava vanakomana navanasikana vangu. Ndizvo zvinotaura Ishe unesimba rose.

7

Zvino, vadikanwa, zvatine zvipikirwa izvi, ngatizvinatse pamatsvina ose enyama noomweya, tikwanise vutsvene pakutya Mwari. Mufaro waPauro pamusoro pavo kuti vakaterera mashoko emwadi yake.
Mutizarurirei moyo yenyu; hatina kuitira munhu zvisakarurama, hatina kutadzira munhu, hatina kunyengera munhu.
Handirevi izvi, kuti ndikupei mhosva; nokuti ndamboreva kuti imi muri mumoyo medu, kuti tife nokurarama pamwe chete nemi.
Kusatya kwangu kukuru pakutaura kwamuri, nokuzvirumbidza kwangu kukuru pamusoro penyu; ndizere nokunyaradzwa, ndinofara kwazvo pakutambudzika kwedu kwose.
Nokuti takati tasvika Makedhonia, nyama yedu haina kuzorora, asi takatambudzika pamativi ose; kunze kwaiva nokukakavara, mukati maiva nokutya.
Asi Mwari, unonyaradza vakavora moyo, wakatinyaradza nokusvika kwaTito;
handiti nokusvika kwake bedzi, asi vo nokunyaradzwa, kwaakanyaradzwa nako pamusoro penyu, achitivudza zvechishuvo chenyu, nokuchema kwenyu, nokushingaira kwenyu pamusoro pangu; saka ndakanyanya kufara.
Nokuti kunyange ndakakuchemedzai nemwadhi yangu, handizvidyi moyo; kunyange ndakanga ndichizvidya moyo hangu, ndinovona kuti mwadhi iyo yakakuchemedzai, asi yakanga iri nguva duku hayo.
Zvino, handifari kuti makachemedzwa, asi nokuti makachemedzwa mukatendevuka nokuti makachemedzwa sezvinoda Mwari, kuti murege kurashikirwa nechinhu nokuda kwedu.
Nokuti kuchema sezvinoda Mwari kunovuyisa kutendevuka, kunoisa kukuponeswa kusingazvidyi moyo; asi kuchema kwenyika kunovuyisa rufu.
Nokuti tarirai kuti chinhu icho chokuti makachemedzwa sezvinoda Mwari, chakavuyisa mukati menyu kushingaira kukuru sei, nokuzvidavirira, nokutsamwa, nokutya, nechishuvo, nokurwadza moyo, nokutsiva. Pazvinhu zvose makazviratidza kuti makachena pachinhu ichi.
Zvino, kana ndakakunyorerai, handina kuzviita nokuda kwaiye wakaita zvisakarurama, kana nokuda kwaiye wakaitirwa zvisakarurama, asi kuti kushingaira kwenyu nokuda kwedu kuvonekwe nemi mumene pamberi paMwari.
Nemhaka iyi isu tinonyaradzwa; zvino pakunyaradzwa kwedu takafara zvikuru kwazvo pamusoro pomufaro waTito, nokuti mweya wake wakasimbiswa nemi mose.
Nokuti kana ndakazvirumbidza nechinhu kwaari pamusoro penyu, handina kunyadziswa; asi sezvatakataura kwamuri zvose nezvokwadi, saizvozvo vo kuzvirumbidza kwedu pamberi paTito kwakavonekwa kuti ndokwazvokwadi.
Nehanya dzake dzawedzerwa kwamuri, achirangarira kuterera kwenyu mose, pamakamugachira napo nokutya nokudedera.
Ndinofara kuti pazvinhu zvose ndingakutendai.

8

Zvino tinokuzivisai, hama dzangu, nyasha dzaMwari dzakapiwa pakereke dzeMakedhonia;
kuti pakati pokuidzwa kukuru kwokutambudzika, mufaro wavo mukuru, pamwe chete novurombo bwavo bwukuru, zvakawanza zvikuru kusanyima kwavo.
Nokuti ndinopupura, kuti vakapa nokuda kwavo pavakagona napo, kunyange kupfuvura pavakagona napo;
vakakumbira nokunyengetera kukuru kwatiri kuti tivatendere kuita basa iri renyasha nokusongana pakushumira vatsvene;
havana kuita sezvatakafunga bedzi, asi ivo vakatanga kuzvipa kunaShe, nokwatiri, nokuda kwaMwari.
Naizvozvo takakumbira zvikuru kunaTito, kuti sezvaakanga atanga, apedzise basa iri renyasha pakati penyu vo.
Zvino se zvamakapfuvurira mberi pazvinhu zvose, pakutenda, napakutaura, napakuziva, napakushingaira kwose, naparudo rwenyu kwatiri, tarirai kuti mupfuvurire mberi pabasa iri renyasha vo.
Handirevi ndichiraira, asi kuti ndiidze ndizive nokushingaira kwavamwe kana rudo rwenyu ndorwa zvokwadi vo.
Nokuti munoziva nyasha dzaShe wedu, Jesu Kristu, kuti kunyange akanga akafuma, wakava murombo nokuda kwenyu, kuti imi novurombo bwake muve vafumi.
Pachinhu ichi ndinokuvudzai kufunga kwangu; nokuti zvichakubatsirai, nokuti ndimi makatangira vamwe makei, musingaiti bedzi, asi muchida vo.
Asi zvino pedzisai kuita vo; sezvamakanga munomoyo unoda, saizvozvo pedzisai vo pamunogona napo.
Nokuti kana moyo wokupa uripo, chipo chinofadza zvichiinda nokuwana kwomunhu, zvisingaindi nokushaiwa kwomunhu.
Nokuti handirevi kudaro ndichiti vamwe varerukirwe, imi muremerwe; asi kuti muenzane;
kuti panguva ino kuwana kwenyu kubatsire kushaiwa kwavo, kuti kuwana kwavo kubatsire kushaiwa kwenyu vo; kuti kuve nokuenzana;
sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Wakavunganidza zvizhinji, haana kusarirwa nechinhu; naiye wakavunganidza zvishoma, haana kushaiwa.
Zvino Mwari ngaavongwe, wakaisa mumoyo maTito kushingaira kwakadaro kwamuri.
Nokuti wakanzwa hake kuraira kwedu, asi zvaakanga achishingaira zvikuru, wakaenda kwamuri, nokuda kwake hake.
Zvino takatuma pamwe chete naye hama iya, inorumbidzwa paEvhangeri pakereke dzose;
zvisati zviri izvozvo bedzi, asi iye wakasanangurwa vo nekereke kuti atiperekedze pabasa iri renyasha, rinoitwa nesu, kuti iye Mwari akudzwe; vuye kuda kwomoyo wedu kuratidzwe;
tichizvichenjerera, kuti kurege kuva nomunhu ungatipa mhosva pamusoro pezvakawanda izvi, zvatinobata nazvo.
Nokuti hatitsvaki zvinhu zvakanaka pamberi paShe bedzi, asi pamberi pavanhu vo.
Takatuma vo navo hama yedu, yatakaidza kazhinji tikavona kuti unoshingaira pazvinhu zvizhinji; asi zvino unonyanya kushingaira nokuda kwokutenda kukuru kwaanako kwamuri.
Kana ari Tito, ndiye shamwari yangu, nomubatsiri wangu kwamuri, kana dziri hama dzedu, ndivo vaapostora vekereke vuye kukudzwa kwaKristu.
Naizvozvo muvaratidze napamberi pekereke chiratidzo chorudo rwenyu nechokurumbidza kwedu pamusoro penyu.

9

Nokuti kana kuri kushumira vatsvene, handifaniri kuti ndikunyorerei;
nokuti ndinoziva kuda kwomoyo yenyu, kwandinorumbidza pamusoro penyu kunavaMakedhonia, kuti vaAkaya vakanga vazvigadzira kubvira makei; nokushingaira kwenyu kwakamutsa vazhinji.
Zvino, ndakatuma hama idzi, kuti kuzvirumbidza kwedu pamusoro penyu kurege kuitwa pasina pachinhu ichi; kuti, sezvandakareva, mugare makazvigadzira;
kuti zvimwe kana vamwe veMakedhonia vachivuya neni, vakakuwanai musina kuzvigadzira, isu(hatirevi imi) tirege kunyadziswa pakutenda uku.
Naizvozvo ndakati zvakafanira kuti ndiraire hama idzi, kuti vatange kuenda kwamuri, vatange kumbogadzira chipo chokuvonga chamakapikira kare, kuti ichi chigare chakagadzirwa chiri chipo chokuvonga, chirege kuva chinhu chatorwa nesimba,
Zvino rangarirai chinhu ichi: Unodzwara zvishoma, unocheka vo zvishoma; unodzwara zvizhinji, uchacheka vo zvizhinji.
Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakafunga pamoyo; arege kuita nokuchema, kana nokurovererwa; nokuti Mwari unoda munhu unopa nomufaro.
Mwari unogona kukuwanzirai nyasha dzose kuti nguva dzose muve nokuringana kwose pazvose, kuti muwanze mabasa ose akanaka;
sezvazvakanyorwa, zvichinzi; Iye wakaparadzira, iye wakapa varombo; Kururama kwake kunogara nokusingaperi.
Zvino iye, unopa mudzwari mbeu nechingwa, kuti zvive zvokudya, uchakupaivo mbeu dzokudzwara achidziwanza, nokuwedzera zvibereko zvokururama kwenyu;
muchifumiswa pazvose mugoziva kupa zvakawanda, zvinoti, kana zvichiitwa nesu, Mwari unovigirwa nazvo kuvonga.
Nokuti kushumira kwokubatsira uku hakuzadzisi kushaiwa kwavatsvene bedzi, asi kunowanzisa vo kuvonga kunaMwari;
nokuda kwezvinovonekwa pakushumira uku vanorumbidza Mwari, pamusoro pokupupura kwenyu kwakaterera Evhangeri yaKristu, napamusoro pokupa kwenyu zvakawanda kwavari nokuna vose.
Naivo vamene vanokushuvai, vachikukumbirirai, nokuda kwenyasha huru-huru dzaMwari pamusoro penyu.
Mwari ngaavongwe pamusoro pechipo chake, chisingagoni kurondedzerwa.

10

Zvino ini Pauro ndinokumbira zvikuru kwamuri novunyoro netsitsi dzaKristu ini muduku kana ndiri pakati penyu, asi ndinotsunga kwamuri kana ndisipo
Ndinokumbira kwamuri, kuti kana ndavapo, ndirege kuzotsunga, nokutenda kwandinoti zvino ndichatsunga nako kuna vamwe vanoti tinofamba nenzira yenyama.
Nokuti, kunyangwe tichifamba nenzira yenyama, hatirwi nemitovo yenyama;
nokuti nhumbi dzedu dzokurwa nadzo hadzizi dzenyama, asi dzine simba pamberi paMwari rokuputsa nhare;
isu tinowisira pasi mifungo yose isina maturo, nezvose zvino zvikwiridza zvichipesana neruzivo rwaMwari.
takazvigadzira kuranga kusaterera kwose, kana kuterera kwenyu kwazadziswa.
Imi munotarira zvinhu zviri pamberi penyu. Kana munhu achivimba nazvo achiti ndiri waKristu ngaarangarire zve chinhu ichi mumoyo make, kuti sezvaari waKristu iye, saizvozvo nesuvo tiri vaKristu..
Nokuti kunyange ndainyanya kuzvirumbidza pamusoro pesimba redu ratakapiwa naShe kukusimbisai, risati riri rokukuputsai, handinganyadziswi;
kuti ndirege kuita sendinokutyisai nenwadhi dzangu.
Nokuti vanoti, nwadhi dzake dzina mashoko makuru, dzinesimba, asi muviri wake kana aripo, unovutera nokutaura kwake kunozvidzwa.
Munhu wakadaro ngaarangarire chinhu ichi kuti sezvatinoreva pamwadhi kana tisipo ndizvo zvatakaitavo pakuita kwedu kana tiripo.
Nokuti tinotya kuzvienzanisa nokuzvifananidza navamwe vanozvikudza; asi ivo havanenjere, zvavanozvienzanisa naivo vamene, nokuzvifananidza naivo vamene.
Zvino isu hatingazvirumbidzi tichipfuvura chipimo, asi nechipimo chinosvika pachipimo chatakagoverwa naMwari, kuti chive chiyero, chisvikire vo kwamuri.
Nokuti hatinyanyi kuzvitambanudza, sezvatisingasvikiri kwamuri; nokuti tisu takatanga kusvikira kwamuri neEvhangeri yaKristu;
hatizvirumbidzi tichipfuvura chipimo pamusoro pebasa ravamwe; asi tinetariro kuti, kana kutenda kwenyu kuchikura, isu tichakuriswa pakati penyu kusvikira pachipimo chedu nokupfuvurisa;
tigoparidza Evhangeri panyika dziri mberi kwenyu, tirege kuzvirumbidza pachipimo chomumwe pamusoro pezvatoitwa hazvo.
Asi unozvirumbidza, ngaazvirumbidze munaShe.
Nokuti wakatendeka haazi iye unozvirumbidza, asi ndiye unorumbidzwa naShe.

11

Dai muchindiitira moyo murefu zvishoma pavupenzi bwangu; asi munondiitira henyu moyo murefu.
Nokuti ndinegodo pamusoro penyu negodo raMwari; nokuti ndakakuwanisai nomurume mumwe, kuti ndikuisei kunaKristu semhandara yakachena.
Asi ndinotya kuti, senyoka yakanyengera Eva namano ayo zvimwe saizvozvo ndangariro dzenyu dzingasvibiswa, dzitsauke pakururama nokuchena kwomoyo kuri kunaKristu.
Nokuti kana mumwe achivuya unoparidza mumwe Jesu, watisina kumboparidza isu, kana zvimwe muchigamuchira mumwe mweya, wamusina kumbogamuchira kana imwe Evhangeri, yamusinakumbogamuchira, kana imwe Evhangeri, yamusina kumbotenda, zvino momuitira moyo murefu kwazvo.
Nokuti ndinoti handizi muduku napaduku-duku kuvaapostora vanopfuvura vamwe vose.
Zvino kunyange ndisinganatsi pakutaura, handina kudaro pakuziva; asi pazvinhu zvose takaratidzwa izvozvo kwamuri pamberi pavose.
Ndakatadza here zvandakazvininipisa kuti imi mukudzwe, zvandakakuparidzirai Evhangeri yaMwari ndisingapiwi mubairo?
Dzimwe kereke ndakadzitorera, ndichireva mubairo, kuti ndikushumirei imi.
Vuye, panguva yandakanga ndiri kwamuri, ndichishaiwa, handina kuremedza munhu; nokuti zvandakashaiwa ndakapiwa nehama dzaibva Makedhonia; pazvinhu zvose ndakachenjera kuti ndirege kukuremedzai, vuye ndicharamba ndichichenjera.
sezvo zvokwadi yaKristu iri mandiri, hakuna munhu ungandikonesa kuzvirumbidza kunyika dzeAkaya.
Nemhaka yeiko? Nokuti handikudiyi here? Mwari unoziva.
Asi chinhu ichi chandinoita, ndinochiita, kuti ndishaise nzira ivo vanotsvaka nzira; kuti vawanikwe vakaita sesu pazvinhu izvozvo zvavanozvirumbidza nazvo.
Nokuti vakadaro vaapostora venhema, vanobata nokunyengera, vano zvishandura vachizviita vaapostora vaKristu.
Naizvozvo hazvishamisi; nokuti kunyange naSatani vo unozvishandura, achizviita somutumwa wechiedza.
Naizvozvo hachizi chinhu chikuru, kana vashumiri vake vachizvishandura vo, vachizviita savashumiri vokururama; kuguma kwavo kuchava sezvavakabata. Kutambudzika kwaPauro pamusoro peEvhangeri
Ndinopamhidza, ndichiti: Ngakurege kuva nomunhu unoti ndiri benzi; asi kana muchidaro henyu, ndigamuchirei sebenzi, kuti ndizvirumbidze hangu zvishoma vo.
Zvandinotaura, handizvitauri sezvinobva kunaShe, asi sapavupenzi bwangu, pakuzvitenda uku kwatino zvirumbidza nako.
Vazhinji zvava nozvirumbidza panyama, neni vo ndichazvirumbidza.
Nokuti munoitira mapenzi moyo murefu nomufaro, imi muri vakachenjera;
nokuti munoita nomoyo murefu kana munhu achikuitai varanda, kana achikuparadzai,, kana achikutapai, kana achizvikudza, kana achikurovai kumeso.
Ndinoreva ndichizvishovora, ndichiti takanga tisinesimba kudaro. Zvino kana kunomunhu unotsunga, (ndinotaura sebenzi), neni ndinotsunga vo.
Ivo vaHebheru here? Neni vo. Ivo vaIsraeri here? Neni vo. Ivo vana vaAbhurahamu here? neni vo.
Ivo vashumiri vaKristu here? (Ndinotaura somunhu unopenga), zvikuru ini; pamabasa ndinovapfuvura, pakusungwa patorongo ndinovapfuvura, pakurobwa zvikuru-kuru, parufu kazhinji.
Ndakarobwa navaJudha kashanu, shamhu dzinamakumi matatu nepfumbamwe.
Katatu ndakarobwa netsvimbo, kamwe ndakatakwa namabwe, katatu ndakaputsikirwa nechikepe vusiku bwumwe namasikati ndakanga ndiri mugungwa;
panzendo kazhinji, panjodzi dzenzizi, panjodzi dzamakororo, panjodzi dzovorudzi rwangu, panjodzi dzavahedheni, panjodzi muguta, panjodzi murenje, panjodzi mugungwa, panjodzi pakati pehama dzenhema;
pakubata napakutambura, pakuvata kazhinji takarindira, panzara nenyota, pakuzvinyima zvokudya kazhinji, pachando napakushaiwa zvokufuka.
kunze kwaizvozvi, ndinoremedzwa zuva rimwe nerimwe nokurangarira kereke dzose.
Ndianiko usine simba, neni ndikasava nesimba? Ndianiko unogumburwa, neni ndikasatsva?
Kana ndikafanira kuzvirumbidza, ndichazvirumbidza nezvinhu zvovutera bwangu.
Mwari, Baba vaShe wedu Jesu Kristu, unokudzwa nokusingaperi, unoziva kuti handirevi nhema.
PaDhamasko mubati pasi pamambo Areta wakarinda guta raveDhamasko, achitsvaka kundibata;
ndikaburuswa ndiri mudengu napawindi parusvingo, ndikatiza pamavoko ake.

12

Ndinofanira hangu kuzvirumbidza, kunyange zvisina kunaka, asi ndichasvika pazviratidzo nezvakazarurwa zvaShe.
Ndinoziva munhu uri munaKristu, ave makore anegumi namana apfuvura, (kana zvakaitwa mumuviri, kana kunze kwomuviri, handizivi; Mwari unoziva), munhu wakadai wakakwidzwa kudenga rechitatu.
Vuye ndinoziva munhu wakadai (kana zvakaitwa mumuviri kana kunze kwomuviri, handizivi; Mwari unoziva)
kuti wakakwidzwa muparadhiso, akanzwa mashoko asingagoni kutaurwa, asina kutenderwa munhu kuti areve.
Pamusoro pomunhu wakadai ndichazvirumbidza; asi pamusoro pangu handizvirumbidzi; asi pamusoro povutera bwangu bedzi.
Nokuti kana ndichida kuzvirumbidza, handingavi benzi; nokuti ndichareva zvamazvokwadi; asi ndinorega hangu, kuti kurege kuva nomunhu, ungati ndiri mukuru kunezvaakavona kana zvaakanzwa kwandiri;
zvino, kuti ini ndirege kunyanya kuzvikudza nokuda kwovukuru kwazvo bwezvakandizarurirwa, ndakapiwa munzwa munyama yangu, nhume yaSatani, andirove, kuti ndirege kunyanya kuzvikudza.
Pamusoro pechinhu ichi ndakakumbira Ishe zvikuru katatu, kuti chibve kwandiri.
Iye akati kwandiri: Nyasha dzangu dzinokuringana; nokuti simba rangu rinozadziswa pavutera bwako. Naizvozvo zvirinani kuti ndizvirumbidze nomufaro mukuru novutera bwangu, kuti simba raKristu rigare pamusoro pangu.
Naizvozvo ndinofara novutera, nokuzvidzwa, nokushaiwa, nokutambudzika, nenhamo nokuda kwaKristu; nokuti kana ndinovutera, ipapo ndinesimba. Kusazvirangarira kwaPauro
Ndava benzi; pakuzvirumbidza. Nokuti ini ndaifanira kurumbidzwa nemi; nokuti handizi muduku napaduku kuvaapostora vanopfuvura vose, kunyange ndisi chinhu.
Zvirokwazvo, zviratidzo zvomuapostora zvakaitwa pakati penyu nokutsungirira kukuru, nezviratidzo, nezvishamiso, namabasa esimba.
Nokuti makapfuvurwa neiko nedzimwe kereke, asi pakuti ini handina kukuremedzai? Ndikanganwirei henyu kusarurama uku.
Tarirai, ino ndiyo nguva yechitatu yandakazvigadzira kuvuya kwamuri; handingakuremedziyi; nokuti handitsvaki zvenyu, asi ndinokutsvakai imi; nokuti vana havafaniri kuchengetera vabereki, asi vabereki vanofanira kuchengetera vana.
Nokuti ndingafara zvikuru kupedza zvose zvangu, nokupedzwa ini ndichikudai zvikuru, ini ndodikanwa zvishoma here?
Zvino, ngazvive saizvozvo hazvo, ini handina kukuremedzai; asi zvandakanga ndinenjere, ndakakubatai namano.
Ndakakutorerai chinhu here nomumwe waivo vandakatuma kwamuri?
Ndakaraira Tito, ndakatuma hama iya naye; ko Tito wakakutorerai chinhu here? Hatina kufamba nomweya mumwe here? Vuye namakwara mamwe here? Pauro unovanyevera
Nguva yose makanga muchiti tinozvidavirira kwamuri here? Tinotaura pamberi paMwari munaKristu; asi tinotaura izvi zvose, vadikanwa, kuti musimbiswe.
Nokuti ndinotya kuti zvimwe kana ndichisvika, ndingakuwanai musina kuita sezvandinoda, neni ndingawanikwa nemi ndakaita sezvamusingadi; zvimwe kungavapo gakava, negodo, nokutsamwa, nokupesana, nokuchera, namakuhwa, namanyawi, nenyonganiso;
kuti kana ndichisvika zve, Mwari wangu arege kundininipisa pamberi penyu, ndicheme pamusoro pavazhinji vavo vatotadza, vakasatendevuka patsvina yavo, novupombwe, novutere bwavakaita.

13

Iyi inguva yechitatu, yandinovuya kwamuri. Mumiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu mashoko ose achasimbiswa.
Ndakambokuvudzai, zvino ndokuvudzai sendakanga ndiripo, kechipiri sendakanga ndiripo, zvino ndisipo, ndinovanyorera avo vakatadza navamwe vose kuti kana ndavuya ikozvino handingavaregererizve.
Zvamunotsvaka chiratidzo chaKristu, unotaura mandiri, iye usingashaiwi simba kwamuri, asi unesimba mamuri.
Nokuti wakaroverwa pamuchinjikwa nokushaiwa simba, asi unoraramanesimba raMwari nesuvo hatina simba maari asi tichararama pamwe chete naye nesimba raMwari kwamuri.
Zviidzei imi mumene, muvone kana muri pakutenda; muzvinzverei imi mumene, Hamuzivi here imi mumene kuti Jesu Kristu uri mukati menyu? Kana zvimwe mava vakarashwa henyu.
Asi ndinoti muchaziva henyu kuti isu hatina kuva vakarashwa.
Zvino tinonyengetera Mwari kuti murege kuita chinhu chimwe chakaipa; handidaro kuti isu tiwanikwe kuti takatendeka, asi kuti imi muite zvakarurama, kunyange isu takaita savakarashwa.
Nokuti hatigoni kuita chinhu chinopesana nezvokwadi, asi chinobatsira zvokwadi.
Nokuti tinofara kana isu tichishaiwa simba, imi muchiva nesimba; ndizvo zvatinokumbira vo, kuti mukwaniswe.
Saka ndinonyora izvi ndisipo, kuti kana ndavapo, ndirege kuita nehasha, sezvandakapiwa naShe simba rokusimbisa, risati riri rokuputsa. Mashoko okupedzisira
Pakupedzisira, hama dzangu, farai, mukwaniswe, munyaradzwe, ivai nomoyo mumwe, garai norugare; Mwari worudo norugare uchava nemi.
Kwazisanai nokusveta kutsvene.
Vatsvene vose vanokukwazisai.
Nyasha dzaShe Jesu Kristu, norudo rwaMwari, nokuyanana kwoMweya Mutsvene, ngazvive nemi mose. Ameni.

License
CC-0
Link to license

Citation Suggestion for this Edition
TextGrid Repository (2025). Paul the Apostle. 2 Corinthians (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5DF-F