1

Vazhinji zvavakaidza kurondedzera mashoko ezvinhu izvo zvakaitika pakati pedu,
sezvavakatipa ivo vakazviona nameso avo kubva pakutanga, navaiva vanyai veshoko,
neni vo, ndakati ndanyatso-feya zvose kubva pakutanga, ndakati zvakanaka kuti ndikunyorerei vo nokutevedzanisa, imi Teofiro, makakurumbira;
kuti muzive kuti mashoko amakadzidziswa ndeezvokwadi. Zakaria unoziviswa kuberekwa kwaJohane Mubhabhatidzi.
Namazuva aHerodhe, mambo weJudhea, mumwe muPirisita waivapo, wainzi Zakaria, wegovero raAbhiya; mukadzi wake waiva wavanasikana vaAroni, zita rake rainzi Erisabete.
Vakanga vakarurama vose, vari vaviri, pamberi paMwari, vachifamba nemirairo nezvakarurama zvose zvaShe, vasina, chavangapomerwa.
Vakanga vasinomwana, nokuti Erisabete wakanga asingabereki, vuye vakanga vachembera vose vari vaviri.
Zvino, wakati achibate-basa rovuPirisita pamberi paMwari, padzoro regovero rake,
akagoverwa netsika dzovuPirisita, kuti apinde mutembere yaShe, kuzopisa zvinonhuhwira.
Vanhu vazhinji vose vakanga vachinyengetera kunze nenguva yokupisa zvinonhuwira.
Ipapo mutumwa waShe wakavonekwa naye, amire kurudyi rwearitari yezvinonhuwira.
Zakaria akamanikidzwa achimuvona; kutya kukamuwira.
Mutumwa akati kwaari: Usatya Zakaria, nokuti kukumbira kwako kwanzwikwa, mukadzi wako Erisabete uchakuberekera mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Johane.
Iwe uchava nomufaro nokufarisisa, navazhinji vachafarira kuberekwa kwake.
Nokuti iye uchava mukuru pamberi paShe; haangatongomwi waini nezvinobata; uchazadzwa noMweya Mutsvene kubva padumbu ramai vake.
Uchadzorera vazhinji vavana vaIsraeri kunaShe, Mwari wavo.
Uchafamba pamberi pake noMweya nesimba raEria, kuti adzorere moyo yamadzibaba kuvana navasingateereri kuvuchenjeri bwakarurama agadzirire Ishe, vanhu vakamugadzirirwa kwazvo,
Zakaria akati kumutumwa: Izvozvi ndichazviziva seiko? Nokuti ini ndava mutana, nomukadzi wangu wachembera.
Mutumwa akapindura, akati kwaari: Ndini Gabrieri, ndinomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure newe, ndikuparidzire mashoko awa akanaka.
Tarira, uchanyarara, usingagoni kutaura, kusvikira zuva rinoitwa zvinhu izvi, nokuti hauna kutenda mashoko angu, achaitika nenguva yawo.
Vanhu vakanga vakamirira Zakaria vakashamiswa nokunonoka kwake mutembere.
Zvino wakati achibuda, akasagona kutaura navo; vakaziva kuti wakanga avona chiratidzo mutembere; iye akaramba achininira namavoko, akaramba ari mbeveve.
Zvino mazuva okushumira kwake akati apera, akaenda kumba kwake.
Mazuva iwayo akati apfuvura, Erisabete mukadzi wake akatora mimba, akazvivanza mwedzi mishanu, achiti:
Ndizvo zvandakaitirwa naShe namazuva aakanditarira, kuti abvise kunyadzwa kwangu pakati pavanhu. Maria anoziviswa kuti uchabereka Jesu.
Nomwedzi wechitanhatu mutumwa Gabrieri wakatumwa naMwari kuguta reGarirea, rinonzi Nazareta,
kumhandara, yakanga yanyengwa nomurume, wainzi Josefa, weimba yaDhavidhi; zita remhandara rainzi Maria.
Mutumwa akapinda kwaari, akati: Kwaziwa, iwe unodikanwa,Ishe unewe wakaropafadzwa pakati pavakadzi.
Iye wakati achimuvona akatambudzika nokutaura kwake, akafunga mumoyo make kuti kukwazisa kwakadai kunorevei.
Ipapo mutumwa akati kwaari: Usatya Maria, nokuti wanzwirwa nyasha naMwari.
Tarira, uchava nemimba, uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu.
Iye uchava mukuru, uchanzi Mwanakomana woWokumusorosoro; Ishe Mwari uchamupa chigaro chovushe chababa vake Dhavidhi.
Uchabata imba yaJakobho nokusingaperi, novushe bwake habungavi nomugumo.
Ipapo Maria akati kumutumwa: Izvozvi zvingava seiko, zvandisingazivi murume?
Mutumwa akapindura, akati kwaari: Mweya Mutsvene uchavuya pamusoro pako, nesimba roWokumusorosoro richakufukidza; saka icho chitsvene chichaberekwa chichanzi: Mwanakomana waMwari.
Vuye tarira, Erisabete, hama yako, naiye wavanemimbavo yomwanakomana pakuchembera kwake; mwedzi uno wava wechitanhatu kunaiye wainzi haabereki.
Nokuti kuna Mwari hakuna chinhu chinokona.
Ipapo Maria akati: Tarirai, ndiri mushandiri waShe; ndiitirwe hangu sezvamataura, Mutumwa akabva kwaari. Maria unondoshanyira Erisabete.
Namazuva iwayo Maria akasimuka, akakurumidza kuenda kunyika yamakomo, kuguta reJudhea;
akapinda mumba maZakaria, akakwazisa Erisabete.
Zvino Erisabete wakati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akakwakuka mudumbu rake; ipapo Erisabete akazadzwa noMweya Mutsvene,
akadana nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, nechibereko chedumbu rako chakaropafadzwa!
Zvaita seiko kwandiri, kuti ndamutswa namai vaShe wangu?
Nokuti, tarira, inzwi rokukwazisa kwako rakati richisvika munzeve dzangu, mwana akakwakuka nomufaro mudumbu rangu.
Wakaropafadzwa iye mukadzi wakatenda, nokuti zvakataurwa naShe kwaari zvichaitika.
Maria akati: Moyo wangu unokudza Ishe,
Mweya wangu wakafara naMwari, Muponesi wangu;
Zvaakavona vurombo bwomushandiri wake; Nokuti, tarira, kubva zvino marudzi ose achati, ndakaropafadzwa;
Nokuti uyo unamasimba wakandiitira zvinhu zvikuru; Zita rake idzvene.
Ngoni dzake dziri kumarudzi namarudzi Avanhu vanomutya.
Wakaratidza simba rake noruvoko rwake; Wakaparadza vaizvikudza mundangariro dzemoyo yavo;
Wakabvisa madzimambo pazvigaro zvavo zvovushe, Akasimudza vakaninipiswa;
Vanenzara wakavagutsa nezvakanaka, Akadzosera vafumi vasina;
Wakabatsira Israeri, muranda wake, Kuti arangarire ngoni dzake,
(Sezvaakareva kumadzibaba edu), KunaAbhurahamu nokurudzi rwake nokusingaperi.
Maria akagara naye mwedzi inenge semitatu, akadzokera kumusha kwake. Kuberekwa kwaJohane Mubhabhatidzi.
Zvino nguva yaErisabete yokuzvara kwake yakasvika; akabereka mwanakomana.
Zvino vakavakidzana navo nehama dzake vakati vanzwa kuti Ishe wakanga amuitira ngoni huru, vakafara naye.
Zvino nezuva rorusere vakavuya kuzodzingisa mwana, vakada kumutumidza zita rababa vake, Zakaria.
Ipapo mai vakapindura, vakati: Kwete, uchatumidzwa Johane.
Vakati kwaari: Hakunomunhu kuhama dzenyu wakatumidzwa zita iro.
Vakabvunza baba vake, vachidudzira namavoko, kuti anzi aniko.
Vakakumbira ibwe rokunyora pariri, vakanyora vachiti: Johane, ndiro zita rake. Vakashamiswa vose.
Kamwe-kamwe muromo wake ukashamiswa, norurimi rwake rukasununguka, akataura, akarumbidza Mwari.
Kutya kukawira vose vakanga vagere navo; namashoko iwayo ose akanzwika kunyika yose yamakomo eJudhea.
Vose vakanzwa, vakaachengeta mumoyo mavo, vachiti: Uchazova mwana wakadiniko? Nokuti ruvoko rwaShe rwakava naye.**
Baba vake, Zakaria, vakazadzwa noMweya Mutsvene, vakaporofita, vachiti:
Ishe, Mwari wavaIsraeri, ngaakudzwe; Nokuti wakamutsa vanhu vake, nokuvadzikinura,
Akatisimudzira runyanga rwokuponeswa. Mumba momuranda wake, Dhavidhi;
(Sezvaakataura nomuromo wavaporofita vake vatsvene, vakanga varipo kubva pakuvamba kwenyika),
Kutiponesa pavavengi vedu, napamavoko avose vanotivenga;
Kunzwira madzibaba edu ngoni, Nokurangarira sungano yake tsvene;
Kupika kwaakapika nako kunababa vedu Abhurahamu.
Kutipa simba isu, tasunungurwa mumavoko avavengi vedu. Kuti timushumire tisingatyi,
Novutsvene nokururama pamberi pake mazuva edu ose.
Iwe, Mwana, uchanzi muporofita woWokumusoro-soro, Nokuti iwe uchatungamira pamberi paShe, kumugadzirira nzira dzake;
Kuzivisa vanhu vake nzira yokuponeswa nayo, Vachikanganwirwa zvivi zvavo.
Nomoyo munyoro waMwari wedu, Uchatishanyira namambakwedza okudenga,
Kuvhenekera vagere murima nomumvuri worufu; Nokururamisa tsoka dzedu munzira yorugare.
Mwana akakura, akasimba mumweya, akagara mumarenje, kusvikira zuva rokuratidzwa kwake kuvaIsraeri.

2

Zvino namazuva iwayo chirevo chakaitwa naKesari Augusto, kuti nyika yose inyorwe mazita.
Uku ndokwaiva kunyorwa kwokutanga, kwakaitwa Kuriniosi ari mubati weSiria.
Vanhu vose vakaenda kundonyorwa, mumwe nomumwe kuguta rake.
NaJosefa vo wakabva Garirea, muguta reNazareta, akaenda Judhea, kuguta raDhavhidhi, rinonzi Bhetirehemu, nokuti waiva weimba yaDhavhidhi, noworudzi rwake;
kuti anyorwe naMaria, wakanga anyengwa naye, ava nemimba.
Zvino vakati varipo, mazuva okuzvara kwake akasvika;
akazvara dangwe rake mwanakomana, akamuputira nemicheka, akamuvanzarika muchidyiro chezvipfuwo, nokuti vakashaiwa nzvimbo muimba yavaeni. Vafudzi veBhetirehemu.
Zvino kwakanga kunavafudzi munyika iyo, vaigara kuvuragu vachirinda mapoka avo vusiku.
Mutumwa waShe akamira navo, nokubwinya kwaShe kukavakomba, vakatya nokutya kukuru.
Ipapo mutumwa akati kwavari: Musatya, nokuti tarira, ndinokuparidzirai mashoko omufaro mukuru, uchava wavanhu vose;
nokuti nhasi mazvarirwa muguta raDhavhidhi Muponesi, ndiye Kristu Ishe.
Ichi ndicho chiratidzo kwamuri; Muchandowana rushiye, rwakaputirwa nemicheka, ruvete muchidyiro chezvipfuwo.
Ipapo kamwe-kamwe kukavapo pamwe chete nomutumwa, vazhinji vehondo yokudenga, vachirumbidza Mwari, vachiti:
Mwari ngaakudzwe kumusoro-soro, rugare ruve panyika, nomoyo muchena kuvanhu.
Zvino vatumwa vakati vabva kwavari, vaenda kudenga, vafudzi vakataurirana, vachiti: Ngatiende hedu Bhetirehemu, tindovona chinhu ichi chakaitwa, chatakaziviswa naShe.
Ipapo vakakurumidza kuenda, vakawana Maria naJosefa, norushiye ruvete muchidyiro chezvipfuwo.
Vakati vavona, vakazivisa kwose shoko ravakanga vavudzwa romwana uyo.
Vose vakanzwa vakashamiswa nezvavakavudzwa navafudzi.
Asi Maria wakachengeta mashoko iwayo ose, achiafungisisa mumoyo make.
Zvino vafudzi vakadzokera kwakare, vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pezvose zvavakanzwa nezvavakavona, sezvavakanga vavudzwa. Jesu unoiswa mutembere, Simeoni naAna.
Mazuva masere akati apfuvura, musi wokudzingiswa wasvika, vakatumidza zita rake Jesu, iro raakanga atumidzwa nomutumwa, asati agamuchirwa mudumbu ramai.
Zvino mazuva okuzvinatsa kwavo nomurairo waMosesi akati apera, vakaenda naye Jerusarema, kuti vamuise pamberi paShe;
(sezvazvakanyorwa pamurairo waShe, zvichinzi: Mwanarume mumwe nomumwe unotanga kuzarura chizvaro, uchanzi mutsvene waShe),
vuye kubayira chibayiro; sezvazvakarebwa pamurairo waShe, zvinoti, njiva mbiri, kana hangaiwa mbiri duku.
Zvino, kwakanga kunomunhu, paJerusarema, wainzi Simeoni; waiva munhu wakarurama waida Mwari waimirira kunyaradzwa kwavaIsraeri.. noMweya Mutsvene wakanga anaye.
Iye wakanga aratidzwa noMweya Mutsvene, kuti haangavoni rufu, asati avona Kristu waShe.
Iye wakavuya mutembere noMweya; zvino vabereki vakati vachivuya nomwana Jesu, kuti vaite naye nomutovo womurairo,
akamubata mumavoko ake akarumbidza Mwari, achiti:
Zvino, Tenzi, muranda wenyu ngaaende hake norugare sezvamakareva;
Nokuti meso angu avona ruponeso rwenyu,
rwamakagadzirira pamberi pavanhu vose
Chiedza chokuvhenekera vahedheni, nokurumbidzwa kwavanhu venyu vaIsraeri.
Josefa Baba vake namai vake vakashamiswa nezvakarebwa pamusoro pake.
Ipapo Simeoni akavaropafadza, akati kunaMaria, mai vake: Tarira, mwana uyu wakaisirwa kuwa nokumuka kwavazhinji pakati pavaIsraeri. Chichava chiratidzo chicharambwa;
vuye munondo uchabaya mweya wako vo; kuti ndangariro dzemoyo mizhinji dzizikanwe.
Zvino kwakanga kunaAna vo, muporofitakadzi, mukunda waFanueri, worudzi rwaAsheri; (iye wakanga achembera kwazvo, wakanga anomurume makore manomwe kubvira pavumhandara bwake.
wakanga ari chirikadzi yaiva namakore makumi masere namana), wakanga asingabvi mutembere, achishumira Mwari nokuzvinyima zvokudya nokukumbira vusiku namasikati:
Naiye wakati achisvika nenguva iyo, akatenda Mwari, akataura pamusoro pake kunavose vakanga vachitarira kusunungurwa kweJerusarema.
Zvino vakati vapedza zvose zvomurairo waShe, vakadzokera Garirea, kuguta ravo Nazareta.
Mwana akakura, akava nesimba, mumweya akazara nenjere; nenyasha dzaMwari dzikava pamusoro pake. Jesu pakati pavadzidzisi vakuru.
Zvino vabereki vake vaisienda Jerusarema makore ose kumutambo wepaseka.
Zvino iye wakati ava namakore anegumi namaviri, vakaenda Jerusarema netsika yomutambo.
Vakati vapedza mazuva, pakudzoka kwavo mwana Jesu akasara Jerusarema, Josefa namai vake vasingazvizivi.
Asi zvavaiti zvimwe uri kunavamwe vakanga vari panzira navo, vakafamba zuva rimwe, vakazomutsvaka kuhama dzavo nokuvazikani vavo.
Vakati vamushaiwa, vakadzokera Jerusarema vachimutsvaka.
Mazuva matatu; akati apfuvura, vakamuwana ari mutembere, agere pakati pavadzidzisi achivaterera nokuvabvunza.
Vose vakanga vachimunzwa, vakashamiswa nokuziva kwake vuye nokupindura kwake.
Zvino vakati vamuvona, vakakatyamara; mai vake vakati kwaari: Mwana, waitireiko zvakadai? Tarira, baba vako neni takutsvaka tichichema.
Akati kwavari: Makanga muchinditsvakireiko? Makanga musingazivi kuti ndinofanira kuva pazvinhu zvaBaba vangu here?
Vakasanzwisisa shoko raakavavudza.
Ipapo akaburuka navo, akasvika Nazareta, akavaterera. Mai vake vakachengeta mashoko iwayo ose mumoyo mavo.
Jesu akaramba achienda mberi pakuchenjera napakukura, napakufadza Mwari navanhu.

3

Negore regumi namashanu rokubata kwaTiberio Kesari, Pontio Pirato ari mubati weJudhea, Herodhe ari mubati weGarirea, Firipo munununa wake, ari mubati weIturea neTrakoniti, Risanio ari mubati weAbirene,
Anasi naKayafasi vari vaPirisita vakuru, shoko raMwari rakavuya kunaJohane, mwanakomana waZakaria, murenje.
Iye akaenda munyika yose yakapoteredza yaJoridani, akaparidza rubhabhatidzo rwokutendevuka nekanganwiro yezvivi;
sezvazvakanyorwa mubhuku yamashoko aIsaya muporofita, zvichinzi: Inzwi rounodana murenje, Gadzirai nzira yaShe, Ruramisai migwagwa yake.
Mipata yose ichafusirwa, Makomo ose nezvikomo zvose zvichaderedzwa; Zvakakombama zvicharuramiswa, Pasakaenzana pachaitiwa nzira dzakaenzaniswa;
Nyama yose ichavona ruponeso rwaMwari.
Naizvozvo wakati kuvazhinji vaivuya kuzobhabhatidzwa naye: Imi vana venyoka, ndianiko wakakunyeverai kuti mutize kutsamwa kunovuya?
Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendevuka; musatanga kureva mumoyo menyu, muchiti: Abhurahamu ndibaba vedu; nokuti ndinoti kwamuri: Mwari ungamutsira Abhurahamu vana pamabwe awa.
Zvino sanhu ratoiswa pamudzi wemiti; naizvozvo muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka, unotemwa, ukakandirwa mumoto.
Vanhu vazhinji vakamubvunza, vachiti: Zvino todiniko?
Akapindura akati,kwavari: Une nguvo mbiri ngaagovane nousina; nounezvokudya ngaaite saizvozvo.
Navateresi vakavuya vo kuzobhabhatidzwa, vakati: mudzidzisi, todiniko?
Akati kwavari: Musareva mari kupfuvura pamakarairwa napo.
Navarwi vo vakamubvunza, vachiti: Nesu vo todiniko? Akati kwavari: Musatorera munhu chinhu nesimba, kana kupomera munhu nhema; mutende nomubairo wenyu.
Zvino vanhu vakati vachatarira, vose vachirangarira mumoyo mavo pamusoro paJohane, kuti zvimwe ndiKristu,
Johane akapindura, akati kunavose: Ini ndinokubhabhatidzai nemvura, asi uyu unovuya, unesimba kupfuvureni, wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake; iye uchakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nemoto.
Rusero rwake ruri muruvoko rwake; uchanatsa buriro rake kwazvo; uchavunganidzira zviyo mudura rake; asi hundi uchaipisa nomoto usingadzimwi.
Akaparidzira vanhu Evhangeri, achivaraira namamwe mashoko mazhinji;
asi Herodhe mubati, wakati arairwa naye pamusoro paHerodhiasi, mukadzi womunununa wake, nezvakaipa zvose zvaakanga aita iye Herodhe,
wakawedzera pamusoro pezvose chinhu ichi, kuti wakapfigira Johane mutorongo. Kubhabhatidzwa kwaJesu. (Mat.3. 13-17; Mar. 1. 9-11; Joh. 1. 31-34.)
Vanhu vose vakati vabhabhatidzwa, naiye Jesu abhabhatidzwa vo, achinyengetera, denga rikazarurwa.
Mweya Mutsvene akaburukira pamusoro pake nomufananidzo wakaita sowenjiva, inzwi rikabva kudenga, richiti: Ndiwe Mwanakomana wangu, unodikanwa; ndinokufarira. Rudzi rwaJesu Kristu. (Mat. 1. 1-17.)
Zvino iye Jesu wakanga anamakore anenge makumi matatu, nguva yaakatanga kudzidzisa, ari, pakufunga kwavanhu, mwanakomana waJosefa, mwanakomana waHeri,
mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waMerki, mwanakomana waJanasi, mwanakomana waJosefa,
mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waAmosi, mwanakomana waNaumi, mwanakomana waEsri, mwanakomana waNagai,
mwanakomana waMaati, mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waSemeion, mwanakomana waJoseki, mwanakomana waJoda,
mwanakomana waJoanani, mwanakomana waResa, mwanakomana waZorobhabheri, mwanakomana waSaratieri, mwanakomana waNerai,
mwanakomana waMerki, mwanakomana waAdi, mwanakomana waKosamu,mwanakomana waEmadamu, mwanakomana waEri,
mwanakomana waJesu, mwanakomana waEriazeri, mwanakomana waJorimu, mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi,
mwanakomana waSimeoni, mwanakomana waJudha, mwanakomana waJosefa, mwanakomana waJonamu, mwanakomana waEriakimu,
mwanakomana waMerea, mwanakomana waMena, mwanakomana waMatata, mwanakomana waNatatamu, mwanakomana waDhavhidhi,
mwanakomana waJese, mwanakomana waJobedhi, mwanakomana waBoosi, mwanakomana waSara, mwanakomana waNasoni,
mwanakomana waaAmininabi, mwanakomana waAdamini, mwanakomana waArni, mwanakomana waEsromi, mwana waFarisi, mwanakomana waJudha,
mwanakomana waJakobho, mwanakomana waIsaka, mwanakomana waAbhurahamu, mwanakomana waTara, mwanakomana waNahori,
mwanakomana waSeruki, mwanakomana waRagau, mwanakomana waFareki, mwanakomana waEberi, mwanakomana waSarah,
Mwanakomana waKainami, mwamakomana waArfakasadi, mwanakomana waSemu, mwanakomana waNoa, mwanakomana waRameki,
mwanakomana waMatusara, mwanakomana waEnock, mwanakomana waJareti, mwanakomana waMarereeri, mwanakomana waKainami,
mwanakomana waEnosi, mwanakomana waSeti, mwanakomana waAdhama, mwanakomana waMwari.

4

Zvino Jesu azere noMweya Mutsvene, wakadzoka zve achibva paJorodhani, akatungamirirwa noMweya murenje.
achiidzwa naDhiabhorosi mazuva anamakumi mana. Wakanga asingadyi chinhu namazuva iwayo; zvino akati apera, akaziya.
Zvino Dhiabhorosi akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, vudza ibwe iri kuti rive chingwa.
Jesu akamupindura, akati; Kwakanyorwa kuti munhu; haangararami nechingwa bedzi asi neshoko raMwari rose.
Zvino Satani akamutora akamukwidza pagomo refu akamuratidza vushe hwose hwenyika nenguva duku
Dhiabhorosi akati kwaari: Ndichakupa simba iri rose nokubwinya kwazvo, nokuti ndakabwupiwa ini, kuti ndihwupe wandinoda.
Zvino, iwe kana ukandinamata, zvose zvichava zvako.
Jesu akapindura, akati kwaari: ibva shure kwangu Satani. Kwakanyorwa kuchinzi: Namata Ishe, Mwari wako, umushumire iye oga.
Akaenda naye Jerusarema, akamuisa pachiruvu chetembere, akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, uzviwisire pasi pano;
Nokuti kwakanyorwa, kuchinzi; Ucharaira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete;
Pamavoko avo vachakusimudza, kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabwe.
Jesu akapindura, akati kwaari: Kwakanzi: Usaidza Ishe, Mwari wako.
Dhiabhorosi akati apedza kuidza kwose, akamusiya kusvikira imwe nguva. Vanhu vanoramba Jesu paNazareta.
Zvino Jesu wakadzokera Garirea nesimba roMweya; mukurumbira wake ukanzwika nenyika yose yakapoteredza.
Waidzidzisa mumasinagoge avo, achikudzwa navanhu vose.
Akasvika paNazareta, paakanga arerwa, akapinda musinagoge nomusi wesabata sezvaaisiita, akasimuka kuti arave.
Akapiwa bhuku romuporofita Isaya; zvino wakati aipetenura, akawana pakanyorwa panoti:
Mweya waShe uri pamusoro pangu, Nokuti wakandizodza, kuti ndiparidzire varombo Evhangeri; Wakandituma kuti ndizivise vakatapwa kusunungurwa kwavo; Namapofu kuti avone zve; Ndiregedze vakatsikirirwa;
Nokuzivisa gore raShe rakanaka.
Akapeta bhuku, akaidzosera kumutariri, akagara pasi; meso avose vaiva musinagoge akamutarisisa.
Zvino akatanga kuvavudza, achiti: Nhasi rugwaro urwu rwazadziswa munzeve dzenyu.
Vose vakamupupurira zvakanaka, vakashamiswa namashoko akanaka akabuda mumuromo make, vakati: Ko uyu haazi mwanakomana waJosefa here?
Akati kwavari: Zvirokwazvo muchataura shumo iyi kwandiri, chiremba uzviporese, zvose izvo zvatakanzwa zvakaitwa paKapenaume, uzviite vo nomuno munyika yako.
Akati: Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Hakunomuporofita unogamuchirwa munyika yake.
Ndinokuvudzai shoko iri razvokwadi: Kwakanga kunechirikadzi zhinji pakati pavaIsraeri pamazuva aEria, panguva yakazarirwa denga makore matatu nemwedzi mitanhatu, nzara huru ikavapo panyika yose;
asi Eria haana kutumwa kunomumwe wavo, asi wakatumwa Sarepta bedzi, munyika yeSidoni, kumukadzi waiva chirikadzi.
Kwakanga kunavaiva namaperembudzi vazhinji pakati pavaIsraeri pamazuva omuporofita Erisha; hakunomumwe wavo vakanatswa, asi Naamani bedzi, muSiria.
Ipapo vose vakanga vari musinagoge, vakatsamwa zvikuru, vachinzwa izvozvo.,
vakasimuka, vakamudzingira kunze kweguta, vakaenda naye kumawere egomo, pakanga pakavakwa guta ravo, kuti vamuwisire pasi.
Asi iye wakapinda napakati pavo, akaenda. Jesu unoporesa munhu waiva nemweya wakaipa paKapernaume. (Mar. 1. 23-28.)
Zvino wakaburukira Kapernaume, raiva guta reGarirea; akasivadzidzisa nemisi yesabata;
vakashamiswa nedzidziso yake; nokuti shoko rake rakanga rinesimba.
Zvino musinagoge makanga munomunhu wakanga anomweya wakaipa wetsvina;iye akadanidzira nenzwi guru, achiti:
Haiwa, tinemhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? Mavuya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuzivai kuti ndimi ani; muri Mutsvene waMwari.
Ipapo Jesu akauraira, achiti: Nyarara, ubude kwaari! Mweya wakaipa ukamuwisira pakati pavo, ukabuda kwaari, usina kutongomukuvadza.
Kutya kukavawira vose, vakataurirana, vachiti: Shoko iri ndereiko? Nokuti unoraira mweya yesvina nechikuriri nesimba, ikabuda.
Mukurumbira wake ukanzwika kumativi ose enyika yakapoteredza. Jesu unoporesa mai vomukadzi waPetro, navamwe. (Mat. 8. 14-17; Mar. 1. 29-38.)
Zvino wakasimuka musinagoge, akapinda mumba maSimoni. Mai vomukadzi waSimoni vakanga vakabatwa nefivhiri zvikuru; vakavakumbirira kwaari,
Ipapo akakotamira pamusoro pavo, akaraira fivhiri, ikavarega; vakasimuka pakarepo, vakavashandira.
Zvino zuva rakati rovira, vose vaiva navanorwara nezvirwere zvizhinji vakavuya navo kwaari; akaisa mavoko ake pamusoro pomumwe nomumwe wavo, akavaporesa.
Nemweya yakaipa yakabuda kuvazhinji, ichidanidzira ichiti ndimi Kristu mwanakomana waMwari. Iye akairaira akasaitendera kutaura nokuti yakanga ichiziva kuti ndiKristu
Zvino kwakati kwaedza, akabuda, akaenda kurenje, vazhinji vakamutsvaka, vakasvika kwaari,, vakaidza kumudzivisa, kuti arege kubva kwavari:,
Asi wakati kwavari: Ndinofanira kuparidzira mamwe maguta vo Evhangeri yovushe bwaMwari; nokuti ndizvo zvandakatumirwa.
Akasiparidza mumasinagoge eGarirea.

5

Zvino, vanhu vazhinji vakati vachimumanikidza kuti vanzwe shoko raMwari, iye amire pagungwa reGenesareta,
akavona magwa maviri ari pagungwa, asi vabati vehove vakanga vabuda maari, vachisuka vutava hwavo.
Akapinda munerimwe igwa, raiva raSimoni, akakumbira kwaari kuti abve pamhenderekedzo paduku apinde mumvura. Zvino akagara, akadzidzisa vanhu vazhinji, ari mugwa.
Wakati apedza kutaura akati kunaSimoni pinda kwakadzika mukande vutava bwenyu kuti mubate.
Simoni akapindura, akati: Tenzi, takatambura vusiku bwose, tisingabati chinhu, asi zvamadaro imi, ndichakanda vutava.
Vakati vaita izvozvo, vakakomba hove zhinji; vutava hwavo hwukabvaruka.
Vakaninira shamwari dzavo munerimwe igwa, kuti vavuye kuzovabatsira. Vakavuya, vakazadza magwa ose ari maviri, akanga onyura.
Zvino, Simoni Petro wakati achizvivona, akazviwisira pasi pamabvi aJesu, akati: Ishe, ibvai kwandiri, nokuti ndiri mutadzi.
Nokuti wakanga ashamiswa iye, navose vaakanga anavo nokuwanda kwehove dzavakanga vabata.
Ndizvo zvanga zvaita vo Jakobho naJohane, vanakomana vaZebedhi, vaiva shamwari dzaSimoni. Ipapo Jesu akati kunaSimoni; Usatya, kubva zvino uchabata vanhu.
Zvino, vakati vaisa magwa kunyika, vakasiya zvose vakamutevera. Jesu unoporesa munhu unamaperembudzi. (Mat. 8. 2-4; Mar. 1. 40-44.)
Wakati ari kunerimwe guta, tarira, kwakanga kunomurume wakanga anamaperembudzi pamuviri wose; iye akati achivona Jesu akazviwisira pasi nechiso, ndokukumbira kwaari, achiti: Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.
ipapo akatambanudza ruvoko, akamubata, achiti: Ndinoda, chinatswa! Pakarepo maperembudzi akabva kwaari.
Akamuraira kuti asavudza munhu, akati: Enda undozviratidza kumuPirisita, ubayire pamusoro pakunatswa kwako zvakarairwa naMosesi, chive chapupu kwavari.
Asi mukurumbira wake wakapararira nokupfuvurisa; vanhu vazhinji-zhinji vakavungana kuzomunzwa, nokuporeswa matenda avo.
Asi iye wakaenda mumarenje, akandonyengetera. Jesu unoporesa munhu wakafa mitezo. (Mat. 9. 1-8; Mar. 2. 1-12.)
Nerimwe ramazuva iwayo wakanga achidzidzisa; vaFarise navadzidzisi vomurairo vakanga vagerepo, vaibva kumisha yose yeGarirea neJudhea neJerusarema; simba raShe rokuporesa rakanga rinaye.
Zvino, tarira, vamwe varume vakanga vakatakura munhu wakanga akafa mitezo, ari panhovo, vakatsvaka kupinda naye, nokumuisa pamberi pake.
Zvino, vakati vachishaiwa pavangamupinza napo, nokuda kwavazhinji, vakakwira pamusoro peimba, vakamuburusira mukati nenhovo yake, napakati pamapfuriro, pamberi paJesu.
Iye akati achivona kutenda kwavo, akati: Murume, wakangamwirwa zvivi zvako.
Vanyori navaFarise vakatanga kufunga, vachiti: Ndianiko uyu unotaura achimhura Mwari? Ndianiko ungakangamwira zvivi, asi Mwari oga?
Zvino Jesu, zvaaiziva mifungo yavo, akapindura, akati kwavari: Munofungeiko mumoyo yenyu?
Chinyiko chakareruka, kuti: Wakangamwirwa zvivi zvako, kana kuti: Simuka, ufambe?
Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu unesimba panyika rokukanganwira zvivi, (akati kunowakafa mitezo Ndinoti kwauri: Simuka, utore nhovo yako, uende kumba kwako.
Akasimuka pakarepo pamberi pavo, akatora chaakanga avete pamusoro pacho, akaenda kumba kwake, achirumbidza Mwari.
Vakashamiswa vose, vakarumbidza Mwari, vakatya kwazvo, vachiti: Tavona madambi nhasi! Kudamwa kwaRevhi? (Mat. 9. 9-13; Mar. 2. 13-17.)
Shure kwaizvozvo, wakabuda, akavona muteresi, wainzi Revhi, agere panotereswa, akati kwaari: Nditevere!
Iye akasiya zvose, akasimuka, akamutevera.
Revhi akamuitira mutambo mukuru mumba make; kukavapo vazhinji-zhinji vavateresi navamwe, vakanga vagere navo pakudya.
VaFarise navanyori vavo vakanyunyutira vadzidzi vake, vachiti: Munodyireiko navateresi navatadzi, nokumwa navo?
Jesu akapindura, akati kwavari: Vasingarwari havatsvaki chiremba, asi vanorwara.
Handina kuvuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi, kuti vatendevuke. Kuzvinyima zvokudya. (Mat. 9. 14-17; Mar. 2. 18-22.)
Zvino vakati kwaari: Vadzidzi vaJohane vanozvinyimireiko zvokudya kazhinji, vachikumbira; navaFarise vanodaro vo, asi venyu vanodya nokumwa.
Jesu akati kwavari: Mungadzivisa shamwari dzechikomba kudya, chikomba chiri kwavari here?
Asi mazuva achasvika; achabiswa chikomba kwavari: vachazvinyima zvokudya namazuva iwayo.
Akataura navo nomufananidzo, akati: Hakunomunhu uchabvarura chiremo panguvo itsva, akachiisa panguvo yakasakara; nokuti uchabvarura nguvo itsva, vuye chiremo chenguvo itsva hachinganzwani neyakasakara.
Hakunomunhu uchadira waini itsva muhombodo tsaru; nokuti waini itsva ichaparusa hombodo, ikatevuka, nehombodo dzikafa vo;
asi waini itsva inofanira kudirwa muhombodo itsva zvose zvichengeteke.
Hakuna munhu unoti kana amwa tsaru, pakarepo ungazoda itsva. Nokuti unoti: Tsaru ndiyo yakaisvonaka.

6

Zvino nesabata rechipiri rinotevera rekutanga wakafamba napakati peminda yezviyo; vadzidzi vake vakatanha hura, vakadya, vachidzipukuta namavoko avo,
Zvino vamwe vavaFarise vakati kwavari: Munoitireiko zvisina kutenderwa kuitwa nomusi wesabata?
Jesu akavapindura, akati: Ko hamuna kurava here zvakaitwa naDhavidhi, musi waakanga aziya iye navakanga vanaye;
kuti wakapinda mumba maMwari, akatora zvingwa zvokuratidza, akazvidya, akapa vo vakanga vanaye, izvo zvakanga zvisinakutenderwa kudyiwa, asi navaPirisita voga?
Akati kwavari: Mwanakomana womunhu ndiye Ishe wesabata vo. Jesu unoporesa munhu waiva neruvoko rwakawonyana. (Mat. 12. 9-14; Mar. 3. 1-6.)
Zvino neimwe sabata wakapinda musinagoge, akadzidzisa; zvino kwakanga kunomunhu ipapo wakanga anoruvoko rworudyi rwakawonyana.
Vanyori navaFarise vakamutarisisa, kuvona kana angamuporesa nomusi wesabata, kuti vawane pavangamupomera mhosva napo,
Asi iye wakaziva mifungo yavo, akati kumunhu wakanga anoruvoko rwakawonyana: Simuka, umire pakati pavanhu. Akasimuka, akamira.
Zvino Jesu akati kwavari: Ndinokubvunzai shoko iri: Zvakatenderwa here kuita zvakanaka kana zvakaipa nesabata, kuponesa munhu, kana kuvuraya?
Ipapo akaringa-ringa achivatarira vose, akati kwaari: Tambanudza ruvoko rwako. Akadaro, ruvoko rwake rukava sorumwe.
Zvino vakatsamwa kwazvo, vakarangana vose kuti Jesu vangamuitei. Jesu unodana vadzidzi vake. (Mat. 10. 1-4; Mar. 3. 13-19.)
Namazuva iwayo wakabudira kugomo kundonyengetera, akapedza vusiku hwose pakunyengetera kuna Mwari,
Zvino kwakati kwaedza, akadana vadzidzi vake; akasanangura kwavari vanegumi navaviri vaakatumidza zita rokuti vaapostora;
Simoni, waakatumidza vo Petro, naAndrea, munununa wake, naJakobho, naJohane, naFiripo, naBartoromeo,
naMateo, naTomasi, naJakobho mwanakomana waArfeo, naSimoni, wainzi Zerote;
naJudhasi mwanakomana waJakobho; naJudhasi Iskarioti, wakazomupandukira.
Akaburuka navo, akamira mubani, navadzidzi vake vazhinji, navanhu vazhinji-zhinji, vaibva Judhea rose neJerusarema, napamhenderekedzo yegungwa reTire neSidoni.
vakanga vavuya kuzomunzwa, nokuporeswa hosha dzavo. Navakanga vachitambudziwa nemweya yetsvina vakaporeswa.
Vanhu vazhinji vose vakatsvaka kumunyangata, nokuti simba rakabuda kwaari rikavaporesa vose. Mharidzo yaJesu. (Mat. 5. 1-8.)
Zvino wakatarisisa vadzidzi vake, akati: Makaropafadzwa imi varombo, nokuti vushe hwaMwari ndobwenyu.
Makaropafadzwa imi munenzara zvino, nokuti muchagutiswa. Makaropafadzwa imi munochema zvino, nokuti muchaseka.
Makaropafadzwa, kana vanhu vachikuvengai, vachikudzingai, vachikuzvidzai, vachirasha zita renyu sechinhu chakashata, nokuda kwomwanakomana womunhu.
Farai nezuva iro, mupembere, nokuti tarirai, mubairo wenyu kudenga mukuru; nokuti madzibaba avo akaitira vaporofita zvakadaro.
Asi munenhamo imi vafumi, nokuti mapiwa kunyaradzwa kwenyu.
Munenhamo imi makaguta zvino, nokuti muchava nenzara. Munenhamo imi munoseka zvino, nokuti muchachema nokurira.
Munenhamo imwi kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu, nokuti madzibaba avo akaitira vaporofita venhema zvakadaro.
Asi ndinoti kwamuri imi munonzwa; Idai vavengi venyu; muitire zvakanaka vanokuvengai.
Ropafadzai vanokutukai, munyengeterere vanokumhurai.
Unokurova padama, umurinzire rimwe vo; unokutorera nguvo yokunze, usamurambidza nenguvo yomukati vo.
Mumwe nomumwe unokumbira kwauri, umupe; nounokutorera zvako, usazvikumbira zve kwaari.
Sezvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire vo saizvozvo.
Kana muchingoda vo vanokudai, munokuvongwa kwakadiniko? Nokuti navatadzi vo vanoda vanovada.
Kana muchingoitira zvakanaka avo vanokuitirai zvakanaka, munokuvongwa kwakadiniko? Nokuti navatadzi vanodaro vo.
Kana muchingopa ivo chikwereti, vamunoti muchadzoserwa zve navo, munokuvongwa kwakadiniko? Nokuti navatadzi vanopa vo vatadzi chikwerete, kuti vapiwe zve zvakaenzana nazvo.
Asi idai vavengi venyu, muvaitire, zvakanaka. Mupe chikwerete musingavori moyo; mubairo wenyu uchava mukuru, mugova vanakomana voWokumusoro-soro; nokuti iye unomoyo munyoro kunavasingavongi navakaipa.
Ivai netsitsi, sababa venyu vanetsitsi vo.
Musatonga, nemi hamungazotongwi; musapa mhaka, nemi hamungazopiwi mhaka; sunungurai, nemi muchasunungurwa vo.
Ipai, nemi muchapiwa; vachakupai pamavoko enyu chiyero chakanaka, chakatsikirirwa, chakazunguzirwa, chakaita mupfunga; nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayerwa vo nacho.
Wakavavudza vo mufananidzo, akati: Bofu ringatungamirira rimwe bofu here? Haangawiri mugomba ose ari maviri here?
Mudzidzi haapfuvuri mudzidzisi wake. Asi mumwe nomumwe, kana akwaniswa, uchava somudzidzisi wake.
Unotarireiko rubanzu ruri muziso rehama yako,izvo, danda riri muziso rako haurivoni?
Kana ungareva seiko kuhama yako, uchiti: Hama, rega ndibvise rubanzu ruri muziso rako, usingavoni danda riri muziso rako? Iwe munyengeri, tanga ubvise danda muziso rako, ipapo uchavonesesa kubvisa rubanzu ruri muziso rehama yako.
Nokuti hakunomuti wakanaka unobereka zvibereko zvakaipa; kana muti wakaipa unobereka zvibereko zvakanaka.
nokuti muti umwe nomumwe unozikanwa nezvibereko zvawo. Nokuti vanhu havatanhi mavonde paminzwa, kana mazambiringa haatanwi parukato.
Munhu wakanaka kubva pafuma yomoyo, wake yakanaka, Unobudisa zvakanaka munhu wakaipa kubva pafuma yomoyo wake yakaipa unobudisa zvakaipa nokuti muromo wake unotaura kubva pakuzara komoyo wake. Mufananidzo weimba yakavakwa paruware. (Mat 7. 24-27.)
Munondiidzireiko Ishe! Ishe! Musingaiti zvandinoreva?
Mumwe nomumwe unovuya kwandiri, akanzwa mashoko angu, akaaita, ndichakuratidzai waakafanana naye.
Wakafanana nomunhu wakavaka imba, akachera, akadzikisa, akaiteya paruware; mvura zhinji ikavuya, mvura ikarova imba iyo, ikasagona kuizunungusa, nokuti yakanga yakateyiwa paruware.
Asi unonzwa, asingaiti, wakafanana nomunhu wakavaka imba pavhu, isinenheyo; mvura yakati ichiirova, ikawa pakarepo, kuputsika kweimba iyo kukava kukuru.

7

Zvino wakati apedzisa mashoko ake ose, vanhu vachinzwa, akapinda Kapernaume.
Muranda womumwe mukuru wezana waidikamwa naye, wakanga achirwara, achitandadza.
Zvino wakati anzwa zvaJesu, akatuma vakuru vavaJudha kwaari achikumbira kuti avuye kuzoporesa muranda wake.
Ivo vakati vachisvika kunaJesu, vakakumbira zvikuru kwaari, vachiti: Iye wakafanira kuti, mumuitire izvozvo;
nokuti unoda rudzi rwedu, ndiye wakativakira sinagoge redu.
Jesu akaenda navo,. Zvino ava pedo neimba, mukuru wezana akatuma shamwari dzake, kuzoti kwaari: Ishe, musazvitambudza; nokuti handina kufanirwa kuti mupinde mumba mangu;
naizvozvo ndakati handifaniri kuvuya kwamuri; asi taurai henyu shoko, muranda wangu uchapora.
Nokuti neni vo ndiri munhu wakaiswa pasi pavamwe, ndinavarwi pasi pangu; kana ndikati kunomumwe: Endai! Unoenda; kunomumwe: Vuyai! Unovuya; nokumuranda wangu: Ita chichi, unoita.
Jesu wakati achinzwa izvozvo, akashamiswa naye, akatendevuka, akati kuvazhinji vakanga vachimutevera: Ndinoti kwamuri: Handina kumbovona kutenda kwakadai, kunyange napakati pavaIsraeri.
Vakanga vatumwa vachidzokera kumba vakandowana muranda wakanga achirwara akapora. Jesu unomutsa mwanakomana wechirikadzi paNaini.
Zvino nezuva rinotevera, wakaenda kuguta rainzi Naini; vadzidzi vake navanhu vazhinji-zhinji vakaenda naye.
Zvino, wakati achiswedera pedo nesuvo reguta, akavona vanhu vakanga vakatakura wakafa, mwanakomana mumwe woga wamai vake, yaiva chirikadzi; navanhu vazhinji veguta vakanga vanaye.
Zvino Ishe wakati achimuvona, akamunzwira tsitsi, akati kwaari: Usachema.
Ipapo akaswedera, akabata bwanyanza; vakanga vachitakura vakamira. Akati: Jaya, ndinoti kwauri: Muka.
Iye wakanga afa akagara, akatanga kutaura; akamupa mai vake.
Vakabatwa vose nokutya; vakarumbidza Mwari, vachiti: Muporofita mukuru wakamuka pakati pedu vuye zve: Mwari wakashanyira vanhu vake.
Shoko iri pamusoro pake rikanzvika muJudhea rose nenyika yose yakapoteredza. Johane mubhabhatidzi: unotuma vadzidzi kubvunza Jesu. (Mat. 11. 2-19.)
Vadzidzi vaJohane vakamuvudza izvozvo zvose.
Johane akadana vadzidzi vake vaviri, akavatuma kunaJesu neshoko rokuti: Ko ndimi iye wakanga achinzi unovuya here, kana tichakatarira mumwe?
Zvino varume vachisvika kwaari, vakati: Johane Mubhabhatidzi wakatitumira kwamuri neshoko rokuti: Ko ndimi iye wakanga achinzi unovuya here? kana tichakatarira mumwe?
Nenguva iyo akaporesa vazhinji hosha dzavo, novurwere, nemweya yakaipa; namapofu mazhinji wakaasvunudza.
Jesu akapindura, akati kwavari: Endai, mundovudza Johane zvamakavona nezvamakanzwa; zvokuti, mapofu anovona, vanokamhina vanofamba, vanamaperembudzi vanonatsva, vematsi vanonzwa, vakafa vanomutsva, navarombo vanoparidzirwa Evhangeri.
Wakaropfadzwa usingagumbuswi neni.
Nhume dzaJohane dzakati dzabva, akatanga kuvudza vanhu vazhinji pamusoro paJohane, achiti: Makanga mabuda kundovoneiko kurenje? Rutsanga runozununguswa nemhepo here?
Asi makanga mabuda kundovoneiko? Munhu wakapfeka nguvo nyoro here? Tarirai, vanenguvo dzinobwinya, navanogara zvinonaka, vari mudzimba dzamadzimambo.
Asi makanga mabuda kundovoneiko? Muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri; Unopfuvura zvikuru muporofita.
Uyu ndiye wakanyorwa pamusoro pake, zvichinzi: Tarira, ndinotuma munyai wangu pamberi pako, Uchakugadzirira nzira yako pamberi pako.
Ndinoti kwamuri: Kuna vakaberekwa navakadzi, hakunomukuru kuna Johane Mubhabhatidzi: asi muduku muvushe bwaMwari mukuru kwaari.
Zvino vanhu vose navateresi vakati vachizvinzwa: vakati Mwari wakarurama, zvavakanga vabhabhatidzwa norubhaptidzo rwaJohane.
Asi vaFarise navadudziri vomurairo vakaramba kufunga kwaMwari pamusoro pavo, vakasabhabhatidzwa naye.
Naizvozvo vanhu vorudzi urwu ndichavafananidza neiko?
Vakafanana navana vagere padare vanodanidzira vachiti, takakuridzirai nyere mukasatamba, takakuririrai mukasachema.
Nokuti Johane Mubhabhatidzi wakavuya, asingadyi chingwa, asingamwi waini, zvino moti: Unomweya wakaipa.
Mwanakomana womunhu wakavuya achidya, achimwa, zvino moti tarirai munhu unokara, nomunwi neshamwri yavateresi navatadzi.
Asi vuchenjeri bwunoruramiswa navana vabwo vose. Mukadzi mutadzi unozodza makumbo aJesu.
Zvino mumwe wavaFarise wakakumbira kuti adye naye. Akapinda mumba momuFarise uyo, akagara pakudya.
Zvino tarira, muguta iro makanga munomukadzi waiva mutadzi; iye wakati anzwa kuti ugere pakudya mumba momuFarise, akavuya nechinu charbastera chaiva nechizoro.
akamira patsoka dzake mashure make, achingochema, akatanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi, akadzipisika nevhudzi romusoro wake, ndokusveta tsoka dzake ndokudzizodza nechizoro.
Zvino muFarise wakanga amudana, wakati achizviona, akareva mumoyo make, achiti; Munhu uyu, dai aiva muporofita, ungadai aiziva mukadzi uyu unomubata kuti ndiani, vuye kuti wakadini, nokuti mutadzi.
Ipapo Jesu akapindura, akati kwaari: Simoni ndine shoko newe, Akati: Revai henyu, Mudzidzisi.
Jesu akati: Vanhu vaviri vakanga vanechikwerete kumunhu mumwe; mumwe wakanga anechikwerete chamadhenari anamazana mashanu,* mumwe chamakumi mashanu.+
Vakati vashaiwa chokuripa nacho, akangovakangamwira vose vari vaviri. Zvino ndoupiko kwavari uchanyanya kumuda?
Simoni akapindura, akati: Handiti ndiye wakakanganwirwa zvizhinji here? Akati kwaari: Wareva kwazvo.
Zvino akatendevukira kumukadzi, akati kunaSimoni: Unovona mukadzi, uyu here? Ndakapinda mumba mako, ukasandipa mvura yetsoka dzangu; asi uyu wakanyorevesa tsoka dzangu nemisodzi yake, akadzipisika nevudzi rake.
Hauna kundisveta, asi uyu chinguri chandapinda, haana kurega kusveta tsoka dzangu.
Hauna kundizodza musoro wangu namafuta, asi uyu wakazodza tsoka dzangu nechizoro.
Naizvozvo, ndinoti kwauri: Zvivi zvake, zviya zvizhinji, wazvikangamwirwa, nokuti wakada zvikuru; asi unokangamwirwa zvishoma, unoda zvishoma.
Zvino akati kwaari: Wakangamwirwa zvivi zvako.
Vakanga vagere naye pakudya vakatanga kureva mumoyo yavo, vachiti: Uyu ndianiko unokangamwira zvivi vo?
Akati kumukadzi: Kutenda kwako kwakuraramisa; enda hako norugare.

8

Zvino shure kwaizvozvo, wakapota nokumaguta nemisha, achiparidza nokureva zveEvhangeri yovushe bwaMwari, vanegumi naviri vanaye.
Navamwe vakadzi vakanga vaporeswa pamweya yakaipa napamarwere, vaiti, Maria unonzi Magdarene, iye wakanga abuda mweya yakaipa minomwe kwaari,
naJohane, mukadzi waKuza, mutariri waHerodhe, naSusana, navamwe vazhinji, vaimushumira nezvavo. Mufananidzo womukushi (Mat. 13. 1-23; Mar. 4. 1-25.)
Zvino vanhu vazhinji-zhinji vakati vavungana, navakanga vabva kumaguta ose vasvika kwaari, akataura nomufananidzo. Akati:
Mukushi wakabuda kundokusha mbeu dzake; wakati achikusha dzimwe dzakawira panzira, dzikatsikwa, shiri dzokudenga dzikadzidya.
Dzimwe dzakawira paruware; dzikamera, dzikawoma, nokushaiwa mwando.
Dzimwe dzakawira pakati peminzwa; minzwa ikakura pamwe chete nadzo, ikadzivhunga.
Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikamera, dzikabereka zvibereko zvinezana. Akati ataura izvozvo, akadanidzira, achiti: Unenzeve dzokunzwa, ngaanzwe.
Zvino vadzidzi vake vakamubvunza, kuti mufananidzo uyo wairevei.
Akati: Imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvovushe bwaMwari; asi vamwe vanozvipiwa nemifananidzo, kuti vachivona, varege kuvona; vachinzwa, varege kunzwisisa.
Zvino mufananidzo ndiwo; Mbeu ishoko raMwari.
Avo vapanzira ndivo vakanzwa; zvino Dhiabhorosi unovuya, akabvisa shoko pamoyo yavo, kuti varege kutenda, vakaponeswa.
Avo vaparuware ndivo vanoti kana vanzwa shoko, vanorigamuchira nomufaro; havanomudzi, vanongotenda nguva duku; nenguva yokuidzwa vanotsauka.
Dzakawira pakati peminzwa ndivo vakanzwa; zvino vanoenda, vakavhungiwa nokufunganya nefuma, nezvinofadza zvovupenyu hwuno, vakasasvitsa zvibereko.
Asi dzomuvhu rakanaka, ndivo vakanzwa shoko mumoyo wakarurama nowakanaka, vanorichengeta, vachibereka zvibereko nokutsungirira. Mufananidzo womwenje. (Mat. 5. 15; 16; Mar. 4. 21-23; Ruka 11. 33-36.)
Hakunomunhu, unoti kana atungidza mwenje, unozoufukidzira nomudziyo, kana kuuisa pasi pomubedha; asi unouisa pachigadziko, kuti vanopinda vavone chiedza.
Nokuti hakuna chakavanzika, chisingazovoneswi,hakuna chakavigwa chisingazozikanwi nokubuda pachena.
Naizvozvo, chenjerai mutovo wamunonzwa nawo; nokuti unazvo, uchapiwa; usina, uchatorerwa naichecho chaanoita sounacho. Vukama naJesu. (Mat. 12. 46-50; Mar. 3. 31-35.)
Zvino mai vake navanununa vake vakavuya kwaari, vakasagona kusvika kwaari nemhaka yavanhu vazhinji.
Akavudzwa, zvichinzi: Mai venyu navanununa venyu vamire kunze, vanoda kukuvonai.
Akapindura, akati kwavari: Mai vangu navanununa vangu ndivo vanonzwa shoko raMwari vachiriita. Jesu unonyaradza dutu remhepo. (Mat. 8. 23-27; Mar. 4. 35-41.)
Zvino nerimwe ramazuva iwayo wakapinda mugwa navadzidzi vake akati kwavari: Ngatiyambukire mhiri kwegungwa. Vakaenda.
Zvino vakati vachienda, iye akavata; dutu guru remhepo rikavuya pagungwa; vakatanga kuzarirwa nemvura, vakava munjodzi.
Vakavuya kwaari, vakamumutsa, vachiti: Tenzi! Tenzi! Toparara! Ipapo akamuka, akaraira mhepo namafungu emvura; zvikaguma, kukadzikama.
Zvino akati kwavari: Kutenda kwenyu kuripiko? Vakatya nokushamiswa, vakataurirana, vachiti: Ndianiko uyu, zvaanoraira kunyange nemhepo nemvura, zvichimuterera? Jesu unobudisa mweya yakaipa.Panyika yavaGerasa. (Mat. 8. 28-34; Mar. 5. 1-20.)
Zvino vakasvika kunyika yavaGerasa, yakatarisana neGarirea.
Wakati achibuda mugwa panyika, mumwe murume weguta akasongana naye, wakanga anemweya yakaipa; nguva huru wakanga asina kupfeka nguvo, asingagari mumba, asi mumarinda.
Zvino iye wakati achivona Jesu, akadanidzira, ndokuzviwisira pamberi pake, akati nenzwi guru: ndinemhaka yeiko nemi Jesu, Mwanakomana woWokumusoro? Ndinokumbira kwamuri kuti musanditambudza.
Nokuti wakaraira mweya wetsvina kuti ubude kumunhu. Nokuti kazhinji wakamubata akachengetwa akasungwa nezvisungo namaketani; akadambura zvisungo, akadzingirwa kumarenje nomweya wakaipa.
Jesu akamubvunza, achiti: Zita rako ndianiko? Akati. Regioni. Nokuti mweya yakaipa mizhinji yakanga yapinda maari.
Ikakumbira zvikuru kwaari, kuti arege kuiraira kuti iende kwakadzika-dzika.
Zvino kwakanga kuripo boka guru renguruve zhinji, raifura mugomo; ikakumbira zvikuru kwaari, kuti aitendere kupinda madziri; akaitendera.
Mweya yakaipa ikabuda kumunhu, ikapinda munguruve; ipapo boka rakamhanyira kumawere kugungwa, dzikabitirirwa.
Vaidzifudza vakati vavona zvaitwa, vakatiza, vakandovudza izvozvo muguta naparuwa.
Vakabuda kundovona zvaitwa; vakasvika kunaJesu, vakandowana munhu, makanga mabuda mweya yakaipa maari, agere patsoka dzaJesu, akapfeka, ari munhu kwaye; vakatya.
Vakanga vazvivona vakavavudza mutovo waakaporeswa nawo, iye waiva nemweya yakaipa.
Vanhu vose venyika yakapoteredza yavaGerasa vakakumbira kwaari kuti abve kwavari, nokuti vakanga vabatwa nokutya kukuru. Akapinda mugwa, akadzoka.
Asi munhu uyo, makanga mabuda mweya yakaipa maari, wakakumbira kwaari kuti agare naye. Asi Jesu wakamudzosa, achiti:
Dzokera kumba kwako, undotaura zvinhu zvikuru zvawaitirwa naMwari. Akaenda, akandoparidza muguta rose zvinhu zvikuru zvaakaitirwa naJesu. Jesu unoporesa mukadzi waibuda ropa, vuye unomutsa mukunda waJairosi. (Mat. 9. 18-26; Mar. 5. 22-43.)
Zvino Jesu wakati achidzoka, vazhinji vakamugamuchira; nokuti vose vakanga vakamumirira.
Ipapo mumwe murume, wainzi Jairosi, wakanga ari mukuru wesinagoge, wakavuya akazviwisira patsoka dzaJesu, akakumbira zvikuru kwaari kuti apinde mumba make.
Nokuti wakanga anomukunda mumwe chete, waiva namakore anenge gumi namaviri, wakanga otandadza. Zvino wakati achienda, vanhu vazhinji vakamumanikidza.
Ipapo mumwe mukadzi, waiva nokurwara kwokubuda ropa makore anegumi namaviri, wakanga apedzera kuna vana chiremba zvose zvaairarama nazvo, asingabetserwi kunyange neimwe yadzo.
akavuya mashure make, akabata mupendero wenguvo yake, pakarepo kubuda kwake kweropa kukaguma.
Jesu akati: Ndianiko wandibata? Zvino vose vakati vachiramba, Petro navaiva naye vakati, Tenzi, vanhu vazhinji vanokumanikidzai nokukutsikirirai zvino moti ndiani wandibata.
Asi Jesu wakati: Mumwe wandibata, nokuti ndanzwa kuti simba rabuda kwandiri.
Zvino mukadzi wakati achivona kuti haana kuvanzika, akavuya, achidedera, akazviwisira pasi pamberi pake, akamuvudza pamberi pavose kuti wakanga amubata nemhaka yei, vuye kuti wakaporeswa pakarepo.
Akati kwaari: Mukunda, usatya kutenda kwako kwakuporesa, enda hako norugare.
Wakati achataura, mumwe akasvika, achibva kumba kwemukuru wesinagoge, akati kwaari: Mukunda wenyu wafa; regai henyu kutambudza Mudzidzisi.
Zvino Jesu wakati achizvinzwa, akapindura, akati: Usatya, tenda bedzi, iye uchaponeswa.
Zvino wakati asvika kumba, akasatendera munhu kupinda naye, asi Petro, naJohane, naJakobho, nababa vomusikana, namai.
Vose vakanga vachichema, vachimuririra. Iye akati: Musachema, haana kufa, asi uvete.
Vakamuseka, vachiziva kuti wafa.
Zvino wakavabudisira panze vose akabata ruvoko rwake, akadana, achiti: Musikana, muka!
Ipapo mweya wake wakadzoka, akamuka pakarepo. Akaraira kuti apiwe zvokudya.
Vabereki vake vakashamiswa, asi wakavaraira kuti varege kuvudza munhu zvakaitwa.

9

Zvino wakavunganidza vanegumi navaviri, akavapa simba nechikuriri pamusoro pemweya yakaipa yose, nokuporesa kurwara.
Akavatuma kuparidza vushe bwaMwari nokuporesa vanorwara.
Akati kwavari: Musatongotora zvomunzira, kana mudonzvo, kana hombodo, kana chingwa, kana mari; musava nenguvo mbiri.
Imba ipi neipi yamunopinda mairi, garaimo, kusvika muchibvapo.
Vuye vose vasingakugamuchirii, kana mobva paguta iro, muzuze guruva riri patsoka dzenyu, chive chapupu kwavari.
Ipapo vakabva, vakapota nemisha, vakaparidza Evhangeri, nokuporesa panzvimbo dzose. Herodhe unokanganiswa pamusoro paJohane Mubhabhatidzi.
Zvino Herodhe, mubati, wakanzwa zvose zvakanga zvichiitwa; akakanganiswa, nokuti vamwe vakanga vachiti, Johane wakamuka kuvakafa;
vamwe kuti Eria wavonekwa; navamwe zve, kuti mumwe wavaporofita vekare wamuka.
Herodhe akati: Johane ndakamugura musoro; zvino ndianiko uyu, wandinonzwa zvinhu zvakadai pamusoro pake Akatsvaka kumuvona. Vanezvuru zvishanu vanopiwa zvokudya naJesu. (Mat. 14. 13-21; Mar. 6. 30-44; Joh, 6. 1-14.)
Vapostora vakati vadzoka, vakamurondedzera zvose zvavakanga vaita; akavatora, akaenda navo vari voga kuguta rainzi Betsaida.
Zvino vanhu vazhinji vachizviziva, vakamutevera; akavagamuchira, akavavudza zvovushe bwaMwari, akaporesa vakanga vachida kuporeswa.
Zuva rakati rovira, vanegumi navaviri vakavuya, vakati kwaari: Endisai vanhu vazhinji, vaende kumisha nokuruwa rwakapoteredza, vagareko, vawane zvokudya; nokuti pano patiri murenje.
Asi iye akati kwavari: Muvape imi, vadye. Vakati: Isu hatinezvingwa zvingapfuvura zvishanu, nehove mbiri, asi kana tikaenda kundotengera vanhu ava vose zvokudya.
Nokuti vaiva varume vanenge zvuru zvishanu. Akati kuvadzidzi vake: Vagarisei pasi vaite mapoka, anavanhu vanenge makumi mashanu.
Vakaita kudaro, vakavagarisa vose.
Ipapo akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kudenga, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi kuti vaise pamberi pavanhu vazhinji.
Vakadya, vakaguta vose; vakavunganidza zvimedu zvavakanga vasarirwa nazvo, matengu anegumi namaviri. Petro unopupura kuti Jesu ndiye Kristu. (Mat. 16. 13-20; Mar. 8. 27-30.)
Zvino wakati achinyengetera ari oga vadzidzi vake vakanga vanaye; akavabvunza, achiti: Vanhu vazhinji vanoti ndini aniko?
Vakapindura, vakati, Vamwe vanoti: Johane Mubhabhatidzi; vamwe Eria; vamwe zve, kuti mumwe wavaporofita vekare wamuka.
Akati kwavari: Ko imi munoti ndini ani? Ipapo Petro akapindura, akati: Ndimi Kristu waMwari.
Akavavudza zvikuru, nokuvaraira kuti varege kuzivisa munhu izvozvo;
achiti: Mwanakomana womunhu unofanira kutambudzika zvizhinji, nokurashwa navakuru navaPirisita vakuru navanyori, nokuvurawa, nokumutswa nezuva retatu. Kutevera Jesu. (Mat. 16. 24-28; Mar.8. 34-38.)
Zvino wakati kuna vose: Kana munhu achida kutevera shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe, anditevere.
Nokuti aninani unoda kuponesa vupenyu hwake, ucharashikirwa nabwo; asi unorashikirwa novupenyu bwakwe nokuda kwangu, uchabwuponesa.
Nokuti munhu uchabatsirwaneiko kana awana nyika yose, akarashikirwa noupenyu hwake kana kurashiwa.?
Nokuti aninani unonyara pamusoro pangu namashoko angu, Mwanakomana womunhu uchanyara vo pamusoro pake musi waanovuya nokubwinya kwake nokwaBaba, nokwavatumwa vatsvene.
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kunavamire pano vasingazonzwi rufu; vasati vavona vushe bwaMwari. Kubwinya kwaJesu pagomo. (Mat. 17. 1-13; Mar. 9. 2-13.)
Zvino kwakati kwapera mazuva masere pashure pamashoko awa akatora Petro naJohane naJakobho, akakwira mugomo kundonyengetera.
Zvino wakati achinyengetera, mugarire wechiso chake ukashanduka, nguvo dzake dzikachena dzikapenya.
Zvino tarira, varume vaviri, vana Mosesi naEria, vakavonekwa vachitaurirana naye.
Vakavonekwa mukuhwinya, akataura zvokuenda kwake kwaakanga wondopedzisa paJerusarema.
Zvino Petro, navaiva naye, vakanga vabatwa nehope; asi vakati vachipepuka, vakavona kubwinya kwake, navarume vaviri vamire naye.
Zvino vakati voparadzana, Petro akati kunaJesu: Tenzi, zvakanaka zvatiri pano; ngativake matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria, asingazivi zvaanoreva.
Wakati achataura izvozvo, gore rikavuya, rikavafukidza; vakatya vachipinda mugore.
Ipapo inzwi rakabva mugore, richi; Uyu Mwanakomana wangu, unodikanwa mumunzwei!
Inzwi rakati raenda, Jesu akavonekwa ari oga. Vakanyarara, vakasavudza munhu; namazuva iwayo, chinhu chimwe chavakanga vavona. Jesu unoporesa mukomana unezvipusha. (Mat. 17. 14-21; Mar. 9. 14-29.)
Nezuva rinotevera vakati vaburuka mugomo, vanhu vazhinji-zhinji vakasangana navo.
Zvino mumwe murume pakati pavazhinji wakadana, akati: Mudzidzisi, ndinokumbira kwamuri kuti mutarire mwanakomana wangu nokuti ndiye mwana wangu mumwe woga.
Tarirai, mweya unomubata, zvino woridza mhere pakarepo; unomubvundisa, achipupuma furo; haudi kumurega, asi unomurwadzisa zvikuru.
Ndakakumbira kuvadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.
Jesu akapindura, akati: Haiwa! Rudzi rusingatendi, rwakatsauka; ndichagara nemi kusvikira riniko, nokukuitirai moyo murefu kusvikira rinhiko? Vuya pano nomwanakomana wako.
Akati achavuya, mweya wakaipa ukamuwisira pasi, ukamubvundisa zvikuru. Asi Jesu wakaraira mweya wetsvina, akaporesa mwana, akamudzosera kunaBaba vake.
Vose vakashamiswa novukuru bwaMwari. Jesu unotaura zvorufu rwake nokumuka kwake. (Mat. 17, 22-23; Mar. 9.30-32.) Zvino vose vachashamiswa nezvose zvaakaita, akati kuvadzidzi vake:
Mashoko awa ngaapinde munzeve dzenyu; nokuti Mwanakomana womunhu uchaiswa mumavoko avanhu.
Asi ivo havana kunzwisisa kutaura uku; vakanga vakavanzirwa, kuti varege kukunzwisisa; vakatya kumubvunza pamusoro pokutaura uku. Mukuru pavushe bwokudenga. (Mat. 18. 1-5; Mar. 9. 33-37.)
Zvino nharo dzikamuka pakati pavo, kuti ndiani mukuru kwavari.
Asi Jesu, zvaakanga achiziva kufunga kwemoyo yavo, akatora mwana muduku, akamuisa parutivi rwake,
, akati kwavari: Aninani unogamuchira mwana uyu muzita rangu,unondigamuchira ini,ani nani unondigamuchira ini unogamuchira wakandituma;uyu uri muduku kwamuri mose, uchava mukuru.
Johane akapindura, akati: Tenzi, tavona munhu achibudisa mweya yakaipa muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haateveri nesu.
Asi Jesu akati kwaari: Musamudzivisa; nokuti usingapesani nesu, unesu. VaSamaria vanoramba kugamuchira Jesu.
Mazuva okukwidzwa kwake akati oswedera, wakaramba akarinzira chiso chake kuenda Jerusarema,
akatuma nhume pamberi pake. Idzo dzikaenda, dzikapinda mumusha wavaSamaria kundomugadzirira.
Asi havana kumugamuchira, nokuti chiso chake chakanga chakaringira Jerusarema.
Vadzidzizi vake, Jakobho naJohane, vakati vachizvivona, vakati: Ishe, munoda kuti titi moto uburuke kudenga, uvaparadze sezvakaitwa naEria here?
Asi iye wakatendevuka, akavaraira akati hamuzivi kuti muri vomweya wakadii.
Nokuti mwanakomana womunhu haana kuvuya kuzoparadza upenyu hwavanhu asi kuvaponesa. Ipapo vakaenda kuneumwe musha. Kutevera Jesu. (Mat. 8. 18-23.)
Zvino vakati vachifamba munzira, mumwe munhu akati kwaari: Ishe ndichakuteverai pose pamunoenda.
Jesu akati kwaari: Mhungubwe dzinemwena, neshiri dzokudenga dzinamatendere, asi Mwanakomana womunhu haana paangatsamidza musoro wake.
Akati kunomumwe: Nditevere. Iye akati: Nditenderei henyu ndimbondoviga baba vangu.
Jesu akati kwaari, rega vakafa vavige vakafa vavo; asi iwe, enda undoparidza vushe bwaMwari.
Mumwe zve akati: Ndichakuteverai Ishe, asi mukanditendera henyu ndimbondowonekana navari mumba mangu.
Asi Jesu akati kwaari: Hakunomunhu ungati kana aisa ruvoko rwake pabadza, akacheukira shure, ungafanirwa novushe bwaMwari.

10

Shure kwaizvozvo Ishe wakagadza zve vamwe vanamakumi manomwe, akavatuma vaviri vaviri pamberi pake mumaguta ose, vuye kwose kwaakanga achida kuenda.
Akati kwavari: Kucheka kukuru, asi vabati vashoma; naizvozvo kumbirai kunaShe wokucheka kuti abudise vabati pakucheka kwake.
Fambai henyu; tarirai, ndinokutumai samakwaiana pakati pamapere.
Musatora chikwama, kana hombodo, kana shangu; musakwazisa munhu panzira.
Paimba ipi neipi yamunopinda, mutange kuti Rugare ngaruve neimba ino.
Kana munhu worugare anenge aripo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro pake; kana kusina, ruchadzokera kwamuri.
Garai muimba iyo, muchidya nokunwa zvavanazvo; nokuti mubati wakafanirwa nomubairo wake; musapota-pota nedzimba.
Paguta ripi neripi, pamunopinda, kana vakakugamuchirai, idyai zvamunopakurirwa.
Poresai varwere varimo, muchiti kwavari: Vushe bwaMwari bwaswedera kwamuri.
Asi guta ripi neripi pamunopinda, kana vasingakugamuchiriyi, budirai munzira dzavo, muti:
Kunyange neguruva reguta renyu rakanamatira tsoka dzedu, tinorikuhumurira kwamuri; asi muzive chinhu ichi kuti vushe bwaMwari bwaswedera.
Ndinoti kwamuri: Sodhoma richarerukirwa nezuva iro kupfuvura guta iro.
Unenhamo, iwe Korazeni! Unenhamo, iwe Betsaida! Nokuti mabasa esimba akaitwa mukati menyu, dai akaitwa muTire neSidoni, vangadai vatendevuka kare, vakagara vanamasaga nedota.
Asi Tire neSidoni acharerukirwa pakutongwa kupfuvuremi.
Newe Kapernaume, uchasimudzirwa kudenga here? Uchaburukira kuHadhesi,
Unokunzwai imwi, unondinzwa ini unokurambai imwi; unondiramba ini,unoramba ini unoramba iye wakandituma.
Vanamakumi manomwe vakadzoka nomufaro, vachiti: Ishe, kunyange nemweya yakaipa inozviisa pasi pedu muzita renyu.
Akati kwavari: Ndakavona Satani achiwa kudenga semheni,
Tarirai, ndakakupai simba rokutsika pamusoro pesimba renyoka nezvinyavada, napamusoro pesimba rose romuvengi; hakune chinhu chingatongokukuvadzai.
Asi, musafara bedzi nechinhu ichi, kuti mweya inozviisa pasi penyu; asi mufare kuti mazita enyu akanyorwa kudenga.
Nenguva iyo Jesu wakafara noMweya Mutsvene, akati: Ndinokuvongai Baba, Ishe wokudenga napasi, kuti makavanzira vakachenjera navakangwara zvinhu izvi, mukazvizarurira vacheche. Hongu Baba nokuti ndizvo zvakakufadzai.
Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu; hakuna unoziva kuti Mwanakomana, ndiyani asi baba vuye kuti baba ndiani asi mwanakomana naiye Mwanakomana waanenge achida kumuzarurira iye.
Ipapo akatendevukira kuvadzidzi vake, akati kwavari, vari voga; Meso, anovona zvamunovona, akaropafadzwa.
Nokuti ndinoti kwamuri: Vaporofita vazhinji namadzimambo vaida kuvona zvamunovona, vakasazvivona, nokunzwa zvamunonzwa, vakasazvinzwa. Mufananidzo womuSamaria wakanaka.
Zvino mumwe mududziri womurairo wakasimuka, akamuidza, achiti: Mudzidzisi, ndingaiteiko kuti ndigare nhaka yovupenyu bwusingaperi?
Akati kwaari: Pamurairo pakanyorweiko? Unorava sei?
Iye akapindura, akati: Ida Ishe, Mwari wako, nomoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose, nokufunga kwako kwose, nowokwako sezvaunozvida iwe.
Akati kwaari: Wapindura zvakanaka; ita izvozvo ugorarama.
Asi iye, achida kuzviruramisa, akati kunaJesu: Wokwangu ndianiko?
Jesu akapindura, akati: Mumwe munhu wakabva Jerusarema, akaburukira Jeriko; akawirwa namakororo, akamupamba nguvo, akamurova, akaenda, ndokumusiya oda kufa.
Zvino mumwe muPirisita wakanga achingoburuka hake nenzira iyo; akati achimuvona, akanyenyeredza.
Nokudaro muRevhi vo wakasvikapo, akamuvona, akanyenyeredza.
Zvino mumwe muSamaria, wakanga ari parwendo, wakasvika kwaari; akati achimuvona, akamunzwira tsitsi,
akaenda kwaari, ndokupombera mavanga ake, akaadira mafuta newaini; akamukwidza pachipfuwo chake, ndokumuisa kuimba yavaeni, ndokumuchengeta.
Zvino, ava mangwana, oenda akabudisa madhenari maviri,* akaapa mwene weimba, akati: Muchengete; vuye zvose zvaunomuripira kupfuvura izvi, ndichakupa zve, kana ndichidzoka.
Unofungei, ndoupiko kunavatatu ava wakanga ari wokwake waiye wakawirwa namakororo?
Akati: Ndiye wakamuitira ngoni. Jesu akati kwaari: Enda, undoita saizvozvo. Marta naMaria.
Zvino vakati vachifamba, akapinda munoumwe musha; mumwe mukadzi wainzi Marta, akamugamuchira mumba make,
Iye wakanga anomunununa wainzi Maria, wakagara vo pamakumbo aJesu, akanzwa shoko rake.
Asi Marta wakanga achitambudzika nokushanda zvikuru, akavuya, akati: Ishe, hamunehanya muchivona munununa wangu achindirega ndichishanda ndoga here? Muvudzei andibatsire,
Jesu akapindura, akati kwaari: Marta! Marta! Unofunganya, nokuzvitambudza nezvinhu zvizhinji,
asi chinhu chimwe chinodikanwa; nokuti Maria wakasanangura mugove wakanaka, waasingazotorerwi.

11

Zvino wakati achinyengetera paneimwe nzvimbo, apedza, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari: Ishe, tidzidzisei kunyengetera, Johane sezvaakadzidzisa vadzidzi vake vo.
Akati kwavari: Kana muchinyengetera, muti: Baba, vedu vari kudenga zita renyu ngariitwe dzvene; vushe bwenyu ngabwuvuye; kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.
mutipei zuva rimwe nerimwe zvokudya zvedu zvinotiringana;
mutikangamwire zvivi zvedu sesu tichikangamwira vane mhoswa nesu musatiisa pakuidzwa asi mutisunungure pane zvakaipa, Mufananidzo weshamwari yakatsungirira.
Akati kwavari: Ndianiko kwamuri ungava neshamwari, akaenda kwaari pakati povusiku, akati kwaari; Shamwari, ndipose vo zvingwa zvitatu;
nokuti shamwari yangu iri parwendo yakasvika kwandiri, zvino handina chandingamupakurira.
Uri mukati akapindura, akati; Usandinetsa; mukova watopfigwa, navana vangu vava neni panhovo; handingamuki ndikakupa.
Ndinoti kwamuri: Kunyange asingamuki akamupa, nokuda kwokuti ishamwari yake, kunyange zvakadaro, nokuda kwokutsungirira kwake, uchamuka, akamupa zvose zvaanoshaiwa.
Ndinoti kwamuri: Kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa.
Nokuti mumwe nomumwe unokumbira, unopiwa; unotsvaka, unowana; nounogogodza, unozarurirwa.
Ndavapiko baba pakati penyu, kana mwanakomana achikumbira chingwa, vangamupa ibwe here? Kana hove, vangamupa nyoka panzvimbo yehove here?
Kana akakumbira zai, vangamupa chinyavada here?
Naizvozvo kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene vanokumbira kwaari. Jesu unobudisa mweya yakaipa, Unodadirwa navaFarise. (Mat. 12. 22-37.)
Zvino wakanga achibudisa mweya wakaipa, waiva mbeveve; mweya wakaipa ukati wabva, mbeveve ikataura, vanhu vazhinji vakashamiswa.
Asi vamwe vavo vakati: Unobudisa mweya yakaipa naBeerzeburi, mukuru wemweya yakaipa.
Asi vamwe vakamuidza, vakakumbira chiratidzo kwaari chinobva kudenga.
Zvino iye wakati achiziva kufunga kwavo, akati kwavari; Vushe bwumwe nobwumwe bwunozvipesanisa, bwunoparadzwa; neimba inozvipesanisa inowa.
NaSatani, kana achizvipesanisa, vushe bwake bwungamira seiko, zvamunoti, ndinobudisa mweya yakaipa naBeerzeburi?
Kana ini ndichibudisa mweya yakaipa naBeerzeburi, ko vanakomana venyu vanoibudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu.
Asi kana ndichibudisa mweya yakaipa nomumwe waMwari, ipapo vushe bwaMwari bwasvika kwamuri.
Kana munhu unesimba, wakashonga nhumbi dzokurwa, achirinda imba yake, nhumbi dzake dzinochengeteka.
Asi kana mumwe unomupfuvura nesimba akamuvamba, akamukunda, ipapo uchamutorera nhumbi dzose dzokurwa, dzaakanga achivimba nadzo, ndokugovera izvo zvaapamba.
Usineni, unopesana neni, nousingavunganidzi neni, unoparadza.
Mweya wetsvina kana wabuda kumunhu, unopota nenzvimbo dzakawoma, uchitsvaka zororo; kana ukashaiwa, unoti: Ndichadzokera kumba kwangu kwandabuda.
Kana wasvika, unoiwana yatsvairwa, yanatswa.
Ipapo unoenda, ndokundotora mimwe mweya minomwe inoukunda nokuipa, ndokupinda, ndokugaramo; kuguma kwomunhu uyo kwakaipa kupfuvura kutanga kwake.
Wakati areva izvozvo, mumwe mukadzi pakati pavanhu vazhinji akadanidzira, akati kwaari: Rakaropafadzwa dumbu rakakutakura, namazamu amakamwa.
Asi iye akati: Hongo, zvikuru vakaropafadzwa vanonzwa shoko raMwari, vachirichengeta. Chiratidzo chomuporofita Jona. (Mat. 12. 39-42.)
Zvino vazhinji vakati vachivunganira kwaari, akatanga kuti: Rudzi urwu, rudzi rwakaipa; runotsvaka chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo asi chiratidzo chomuporofita Jona.
Nokuti Jona sezvaakanga ari chiratidzo kunavaNinivhi, ndizvo zvichaita vo Mwanakomana womunhu kurudzi urwu.
Mambokadzi weZasi uchasimuka pakutonga navarume vorudzi urwu, akavapa mhosva, nokuti wakabva pamigumo yenyika, kuzonzwa kuchenjera kwaSoromoni; tarirai, mukuru kunaSoromoni uri pano.
Varume veNinivhi vachasimuka pakutonga norudzi urwu, vakarupa mhosva, nokuti vakatendevuka nokuparidza kwaJona; tarirai, mukuru kunaJona uri pano. Mufananidzo womwenje. (Mat. 5. 15, 16; Mar. 4. 21, 22; Ruka 8. 16-18.)
Hakunomunhu unoti kana atungidza mwenje, ungauisa pakavanda, kana pasi pedengu, asi pachigadziko, kuti vanopinda vavone chiedza.
Mwenje womuviri iziso rako; kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchavhenekerwa; asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wose uchava nerima.
Naizvozvo chenjera kuti chiedza chiri mukati mako chirege kuva rima.
Zvino kana muviri wako wose wakavhenekerwa, pasinarutivi runerima, uchavhenekerwa wose, somwenje unokuvhenekera nokupenya kwawo. Jesu unotuka vaFarise navadudziri vomurairo. (Mat. 23. 13-35.)
Wakati achataura, mumwe muFarise akakumbira kwaari kuti asvusvure naye; akapinda, akagara pakudya.
Zvino muFarise akashamiswa, achivona kuti haana kumboshamba asati asvusvura.
Ishe akati kwaari: Zvino imi vaFarise, munosuka kunze kwomukombe nendiro, asi mukati menyu muzere nokukara nokuipa.
Imi mapenzi! Ko uyo wakaita zviri kunze, haazi iye wakaita zviri mukati vo here.
Asi zviri nani mupe zvipo pazvinhu zvamunazvo; ipapo tarirai zvose zvichava zvakanaka kwamuri.
Asi munenhamo, imi vaFarise, nokuti munopa chegumi cheminte neruyi nemirivo yose, muchirega kururamisira mhaka norudo kunaMwari; maifanira kuzviita izvi, nokusarega kuita izvozvo.
Munenhamo, imi vaFaraise, nokuti munoda zvigaro zvapamberi mumasinagoge, nokukwaziswa padare.
Munenhamo, imi, nokuti makaita samarinda asingavonekwi; vanhu vanofamba pamusoro pawo, vasingazivi.
Zvino mumwe wavadudziri vomurairo wakapindura, akati kwaari: Mudzidzisi, kana muchitaura izvozvo, munotituka nesu vo.
Iye akati: Munenhamo nemi vo, vadudziri vomurairo; nokuti munotakudza vanhu mitoro inorema, inotambudza kutakura, asi imi mumene hamubati mitoro iyo kunyange nomumwe wenyu mumwe.
Munenhamo, imi, nokuti munovaka marinda avaporofita vakavurawa namadzibaba enyu.
Naizvozvo muri zvapupu, kana muchitenderana namabasa amadzibaba enyu; nokuti ivo vakavavuraya, nemi munovaka marinda avo.
Saka nokuchenjera kwaMwari vo akati: Ndichatumira kwavari vaporofita navapositora, vachavuraya vamwe vavo, nokuvatambudza;
kuti mhosva yeropa ravaporofita vose, rakatevurwa kubva pakuvambwa kwenyika, itsvakwe parudzi urwu;
kubva paropa raAberi, kusvikira paropa raZakaria, wakavurawa pakati pearitari neImba yaMwari;hongo, ndinoti kwamuri mhosva ichatsvakwa parudzi urwu.
Munenhamo, imi vadudziri vomurairo; nokuti makabvisa kiyi yokuziva; hamuna kupinda mumene, vuye makadzivisa avo vakanga vachida kupinda.
Wakati achibvapo vanyori navaFarise vakatanga kumumanikidza kwazvo, nokumubvunzisisa pamusoro pezvimwe zvizhinji,
vachimurindira, kuti vamubate pashoko rinobuda mumuromo make.

12

Zvino vanhu vanezvuru zvizhinji vakati vavunganira pamwe chete kusvikira votsikirirana, akavamba kutaura kuvadzidzi vake pakutanga, achiti: Chenjerai mbiriso yavaFarise, ndiko kunyengera.
Hakunechinhu chakafukidzwa, chisingazozarurwi; kana chakavanzika, chisingazozikanwi.
Saka zvose zvamakataura murima, zvichanzwika muchiedza; nezvamakataura munzeve mudzimba dzomukati, zvichaparidzwa pamusoro pedzimba.
Ndinoti kwamuri, hama dzangu; Musatya vanovuraya muviri, vasingazogoni kuita chimwe chinhu shure kwaizvozvo.
Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya; mumutyei iye, unoti kana avuraya, unesimba vo rokukandira muGehena. Hongu, ndinoti kwamuri: Mumutye iye.
Ko shiri duku shanu hadzitengeswi nepeni here? Hakuna imwe yadzo inokanganikwa pamberi paMwari.
Asi nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose. Musatya, munopfuvura shiri duku zhinji.
Ndinoti kwamuri: Mumwe nomumwe unondipupura pamberi pavanhu, Mwanakomana womunhu uchamupupura vo pamberi pavatumwa vaMwari.
Asi unondiramba pamberi pavanhu, ucharambwa vo pamberi pavatumwa vaMwari.
Mumwe nomumwe unoreva shoko rakaipa pamusoro poMwanakomana womunhu, uchakangamwirwa, asi unomhura Mweya Mutsvene haangakangamwirwi.
Kana vachikuisai pamberi pamasinagoge navatongi navakuru, musafunganya kuti muchapindura sei, kana inyiko, kana muchataurei.
Nokuti Mweya Mutsvene uchakudzidzisai nenguva iyo zvamunofanira kutaura. Mufananidzo womufumi benzi.
Zvino mumwe pakati pavazhinji wakati kwaari: Mudzidzisi, vudzai muninina wangu kuti agovane nhaka neni.
Iye akati kwaari: Iwe munhu, ndianiko wakandiita mutongi kana mugoveri pakati penyu?
Akati kwavari: Chenjerai, muzvichengete pakuchiva kwose, nokuti vupenyu bwomunhu habwuzi pazvinhu zvakawanda zvaanazvo.
Akavataurira mufananidzo, akati: Nyika yomumwe mufumi yakanga yabereka kwazvo;
akafunga mumoyo make, akati: Ndichaita seiko? Nokuti handina pandingavunganidzira zvibereko zvangu.
Akati; Ndichaita kudai: Ndichaputsa matura angu, ndikavaka makuru; ndichavunganidzirapo zviyo zvangu, nezvose zvangu zvakanaka,
ndigoti kumweya wangu: Mweya, unezvakawanda zvakanaka, zvakavigirwa makore mazhinji; zorora, udye, umwe, ufare.
Asi Mwari akati kwaari: Iwe benzi, mweya wako uchadikamwa kubva kwauri, novusiku; ubwu vachakutorera mweya wako; izvo zvawagadzira, zvichagova zvani?
Ndizvo zvakaita munhu unozvivunganidzira fuma, asingafumi kunaMwari. Baba vanoziva zvatinoshaiwa. (Mat. 6. 25-34.)
Zvino wakati kuvadzidzi vake; Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro povupenyu hwenyu, kuti muchadyei, kana pamusoro pomuviri wenyu, kuti muchapfekei?
Nokuti vupenyu bwunopfuvura zvokudya, nomuviri unopfuvura zvokupfeka.
Fungai makunguvo, kuti haadzvari, haacheki, haanetsapi kana dura; asi Mwari unoapa zvokudya. Imi munokunda shiri zvikuru sei!
Ndianiko kwamuri ungawedzera kubiti* rimwe pavurefu bwake nokufunganya?
Zvino kana imi musingagoni kuita chinhu chiduku, munofunganyireiko pamusoro pezvimwe?
Fungai maruva, kumera kwawo; haabati, haaruki; asi ndinoti kwamuri: Kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose, haana kushongedzwa serimwe rawo.
Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo vuswa bwenyika, bwuripo nhasi, mangwana bwokandirwa muchoto, haangakupfekedziyi nokupfuvurisa, imi vokutenda kuduku here?
Imi musatsvaka zvamuchadya, nezvamuchamwa; musazvidya moyo.
Nokuti zvinhu izvi zvose zvinotsvakwa navahedheni; asi Baba venyu vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi.
Asi zviri nani mutsvake vushe bwaMwari, naizvozvo zvose muchazviwedzerwa.
Musatya henyu, imi kapoka kaduku, nokuti Baba venyu vanofara nokukupai vushe.
Tengesai zvamunazvo, mupe zvipo; muzviitire zvikwama zvisingasakari, fuma isingaperi kudenga, pasingasviki mbavha, pasingaparadzi zvipfunho.
Nokuti panefuma yenyu, nomoyo wenyu uchavapo vo. Mufananidzo womuranda wakarindira ishe wake. (Mat. 24. 37-51.)
Zvivuno zvenyu ngazvigare zvakasungwa, nemwenje yenyu ipfute.
Nemi muve savanhu vakarindira ishe wavo pakudzoka kwake kumutambo wokuwana; kuti kana akasvika akagogodza, vamuzarurire pakarepo.
Vakaropafadzwa varanda avo, vanoti, kana ishe achisvika, unovawana vakarindira. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uchazvisunga chivuno iye, akavagarisa pakudya, akavuya akavashandira.
Kana akasvika nenguva yokurindira yechipiri, kana yechitatu yovusiku, akawana vakadaro, vakaropafadzwa varanda ivavo.
Asi muzive izvi, kuti dai mwene weimba aiziva nguva inovuya nayo mbavha, ungadai akarindira akasatendera kuti imba yake ipazwe.
Nemi vo mugare mazvigadzirira, nokuti Mwanakomana womunhu uchavuya nenguva yamusingafungi.
Zvino Petro akati kwaari: Ishe, mufananidzo uyu munoutaura kwatiri, kana kunavose here?
Ishe akati: Ndianiko mutariri wakatendeka, wakachenjera, uchaiswa nashe wake pamusoro pavaranda vake, kuti avape mugove wezvokudya zvavo nenguva yakafanira?
Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti, kana ishe wake achisvika, akamuwana achiita saizvozvo.
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti uchamugadza ave mutariri wezvose zvaanazvo,
Asi kana muranda uyo akareva mumoyo make, achiti: Ishe wangu wanonoka kuvuya; akatanga kurova varanda, varume navakadzi, akadya, akamwa, akabatwa;
ishe womuranda uyo uchasvika nezuva raasingatariri, nenguva yaasingazivi, akamurovesa zvikuru, akamupa mugove wake pamwe chete navasakatendeka.
Muranda uyo wakaziva kuda kwashe wake, akasagadzira, kana kuita kuda kwake, ucharobwa zvizhinji.
Asi usina kuziva, akaita zvakafanira kurobwa, ucharobwa zvishoma. Wakapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; unotendwa nezvizhinji, vachareva zvinopfuvurisa kwaari.
Ndakavuya kuzokanda moto panyika; zvino ndinoti: Dai watobatidzwa hawo!
Ndinorubhabhatidzo rwandichabhabhatidzwa narwo; ndinomanikidzwa sei kusvikira zvichiitika.
Munofunga kuti ndakavuya kuzopa rugare panyika here? Ndinoti kwamuri: Kwete, asi kupesanisa.
Nokuti kubva zvino vashanu veimba imwe vachapesana, vatatu vachipesana navaviri, vaviri navatatu.
Baba vachapesana nomwanakomana wavo, nomwanakomana nababa vake; mai nomwanasikana wavo, nomwanasikana namai vake; vamwene nomukadzi womwanakomana wavo, nomukadzi womwanakomana navamwene vake.
Akati kuvanhu vazhinji: Kana muchivona gore richikwira kumavirira,, pakarepo munoti: Mvura ichanaya; zvoitika saizvozvo.
Kana muchivona mhepo ichivhuvhuta ichibva Zasi munoti: Kuchapisa kwazvo; zvoitika.
Imi vanyengeri, munoziva kududzira zvamunovona zvenyika nezvokudenga, asi hamuzivi nei kududzira nguva ino?
Munoregereiko kuzvitongera mumene zvakarurama
Nokuti kana uchienda kunashe nomudzivisi wako, idza kuti uregedzwe naye muchiri munzira; kuti arege kukukwirira kumutongi, mutongi akuise kumupurisa mupurisa akusunge mutorongo.
Ndinoti kwauri, haungatongobudimo, usati waripa kamari kwokupedzisira.

13

Nenguva iyo vamwe vakanga varipo vakamuvudza shoko ravaGarirea vakanga vavhenganisirwa ropa ravo nezvibayiro zvavo naPirato.
Jesu akapindura, akati kwavari: Munoti vaGarirea avo vakanga vari vatadzi here kupfuvura vaGarirea vose, zvavakatambudzika saizvozvo?
Ndinokuvudzai: Kwete; asi kana musingatendevuki, nemi mose muchaparara saizvozvo.
Kana vaya vanegumi navasere, vakawirwa nesvingo yeSiroami, ikavavuraya, munoti vakanga vanemhosva kukunda vanhu vose vaigara Jerusarema here?
Ndinokuvudzai: Kwete; asi kana musingatendevuki, nemivo muchaparara saizvozvo. Muvonde usingabereki.
Zvino wakataura mufananidzo uyu; Mumwe munhu wakanga anomuvonde, wakanga wakasimwa mumunda wake wemizambiringa; akavuya achitsvaka zvibereko kwauri, akashaiwa.
Ipapo akati kumurimi womunda wemizambiringa: Tarira, ndavuya makore matatu ndichitsvaka zvibereko pamuvonde uyu, ndikashaiwa; uuteme, unotadzireiko pasi?
Akapindura, akati kwaari: Ishe, muregei henyu nhaka, kusvikira ndichiurimira, nokuuisa mupfudze;
kana ukazobereka zvibereko, zvakanaka; asi kana usingabereki, mungazoutema henyu. Jesu unoporesa mukadzi nesabata.
Zvino wakanga achidzidzisa mune rimwe sinagoge nomusi wesabata.
Zvino tarira, kwaivapo mukadzi waiva nomweya wovurwere makore anegumi namasere; wakanga akawonyana, asingatongogoni kusimuka.
Jesu akati achimuvona, akamudana, akati kwaari: Mai, wasunungurwa pavurwere bwako.
Akaisa mavoko ake pamusoro pake; akatasanudzwa pakarepo, akarumbidza Mwari.
Zvino mukuru wesinagoge akatsamwa, nokuti Jesu wakaporesa nomusi wesabata, akapindura, akati kuvanhu vazhinji; Mazuva matanhatu aripo, anofanira kubatwa nawo; vuyai naiwayo, muporeswe; asi musavuya nomusi wesabata.
Asi Ishe wakamupindura, akati: Imi, vanyengeri! Ko mumwe nomumwe wenyu haangasununguri mombe yake kana mbongoro yake pachidyiro nomusi wesabata, akaenda nayo kundoimwisa here?
Zvino mukadzi uyu, mwanasikana waAbhurahamu, wakanga akasungwa naSatani makore anegumi namasere, haazaifanira kusunungurwa nomusi wesabata pachisungo ichi here?
Zvino wakati areva izvozvo, vadzivisi vake vose vakanyadziswa; asi vanhu vazhinji vose vakafara nezvinhu zvose zvakaisonaka zvakaitwa naye. Mufananidzo wembeu yemastarda nembiriso. (Mat. 13. 31, 32; Mar. 4. 30-32.)
Zvino akati: Vushe bwaMwari bwakafanana neiko? Ndichabwufananidza nei?
Bwakafanana netsanga yembeu yemastarda, yakatorwa nomunhu, akaikanda mumunda make, ikamera, ikaita muti, mukuru shiri dzokudenga dzikagara pamatavi awo.
Akati zve; Vushe bwaMwari ndichabwufananidza neiko?
Bwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaiisa muzviyero zvitatu* zvovupfu, kusvikira bwose bwaviriswa. Suwo rakamanikana. (Mat. 7. 13, 14.)
Zvino wakafamba namaguta nemisha, achidzidzisa, achingoenda Jerusarema.
Mumwe akati kwaari: Ishe, vachazoponeswa vashoma here?
Akati kwavari: Rwisai kupinda nesuvo rakamanikana; nokuti vazhinji, ndinoti kwamuri, vachatsvaka kupinda, asi havangagoni.
Panguva iyo kana mwene weimba asimuka, azarira suvo, imi mukatanga kumira kunze, mukagogodza pasuvo, muchiti: Ishe! Tizarurirei! Iye akapindura, achiti kwamuri: Handikuziviyi imi kwamakabva.
Zvino muchatanga kuti: Taidya, taimwa pamberi penyu, vuye maidzidzisa panzira dzomumisha yedu.
Asi iye uchati: Ndinokuvudzai: Handizivi kwamakabva; ibvai kwandiri, imi mose, vaiti vezvisakarurama!
Apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno, kana muchivona Abhurahamu naIsaka naJakobho navaporofita vose vari muvushe bwaMwari, asi imi mabudiswa kunze.
Vachabva mabvazuva, nokumavirira, nokumusoro, nezasi, vakagara muvushe bwaMwari.
Tarirai, varipo vokupedzisira vachava vokutanga, novokutanga vachava vokupedzisira. Jesu unochema pamusoro peJerusarema. (Mat. 23. 37-39.)
Nenguva iyo vamwe vaFarise vakasvika, vakati kwaari: Budai, mubve pano, nokuti Herodhe unoda kukuvurayai.
Akati kwavari: Endai, mundovudza mhungubwe iyo, muti: Tarira, ndinobudisa mweya yakaipa, ndinoporesa nhasi namangwana, nezuva retatu ndinopedzisa.
Asi ndinofanira kufamba nhasi namangwana, nerinotevera, nokuti hazvingaitiki kuti muporofita avurawe kunze kweJerusarema.
Jerusarema, Jerusarema, unovuraya vaporofita, nokutaka namabwe avo vakatumwa kwauri; ndakanga ndichida kazhinji sei kuvunganidza vana vako semhambo inovunganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba
Tarirai, masiyirwa imba yenyu rava dongo; zvirokwazvo; asi ndinoti kwamuri: Hamuchazondivoni, kusvikira muchiti: Ngaarumbidzwe iye unovuya nezita raShe!

14

Zvino wakati apinda mumba momumwe wavakuru vavaFarise nomusi wesabata kuzodya zvokudya, vakamucherekedza.
Zvino kwakanga kunomumwe munhu pamberi pake waiva norukandwe.
ipapo Jesu akapindura, akataura kuvadudziri vomurairo nokuvaFarise, achiti: Kwakatenderwa kuporesa nomusi wesabata here, kana kwete?
Vakaramba vanyerere. Zvino akamutora, akamuporesa, ndokumuendesa.
Wakapindura akati kwavari: Ndianiko pakati penyu, ungati, kana ane mbongoro yake kana nzombe yake ikawira mugomba, nomusi wesabata akasayibudisa pakarepo.
Vakasagona kupindura zve pamusoro paizvozvi. Kuzvininipisa.
Zvino wakataura mufananidzo kuna vakakokerwa, nokuti wakavona vachizvisanangurira zvigaro zvapamberi, akati kwavari:
Kana iwe uchinge wakokerwa nomunhu kumutambo wokuwana, usagara pachigaro chapamberi; zvimwe mumwe, unokudzwa kupfuvurewe, wakokerwa vo naye;
zvino wakakukokera iwe naye, ungasvika, akati kwauri: Ibvapo. Munhu uyu agareipo uchatanga kugara kuchigaro cheshure uchinyara.
Asi kana wakokerwa, enda ugare pachigaro cheshure, kuti uyo wakakukokera, kana achisvika, agoti kwauri: Shamwari, pinda mberi! Zvino uchakudzwa wepamberi pavose vagere pakudya newe.
Nokuti mumwe nomumwe unozvikudza, uchaninipiswa; vuye mumwe nomumwe unozvininipisa, uchakudzwa.
Akati vo kuno wakamukokera: Kana wagadzira chisvusvuro kana chirayiro, usadana shamwari dzako, kana vanununa vako kana hama dzako, navafumi vokwako, kuti varege kukukokera zve, ugoripirwa.
Asi kana wagadzira mutambo wokudya, ukokere varombo, nezvirema, navanokamhina, namapofu.
ipapo ucharopafadzwa, zvavasina zvavangakuripira nazvo, nokuti ucharipirwa pakumuka kwavakarurama. Mufananidzo wechirairo chikuru. (Mat. 22. 1-14.)
Mumwe wavakanga vagere naye pakudya wakati achizvinzwa, akati kwaari: Wakaropafadzwa uyo uchadya zvokudya pavushe bwaMwari!
Iye akati kwaari: Mumwe munhu wakagadzira chirayiro chikuru, akakokera vazhinji.
Akatuma muranda wake nenguva yokurayira kuti avudze vakanga vakakokerwa, kuti: Vuyai, nokuti zvose zvagadzirwa zvino.
Ipapo vose vakatanga nomoyo mumwe kuzvirevera. Wokutanga akati kwaari: Ndatenga munda, ndinofanira kumbondouvona; ndinokumbira kuti undireverere.
Mumwe akati Ndatenga nzombe dzamajoko mashanu, ndinoenda, kundodziidza; ndinokumbira kuti undireverere.
Mumwe akati: Ndawana mukadzi, naizvozvo handingavuyi.
Muranda akavuya, akavudza ishe wake izvozvo. Ipapo mwene weimba akatsamwa, akati kumuranda wake: Kurumidza, ubude kunzira huru neduku dzomumusha, uvuye pano navarombo, nezvirema, namapofu, navanokamhina.
Muranda akati: Ishe, izvo zvamaraira, zvaitwa, asi nzvimbo ichipo.
Ishe akati kumuranda: Buda kunzira nokuvuzhowa, uvagombedzere vapinde, imba yangu izare.
Nokuti ndinoti kwamuri: Hakuno mumwe kunavarume avo vandakakokera, ucharavira chirayiro changu. Kutevera Jesu. (Mat. 10. 37-39.)
Zvino vazhinji-zhinji vakafamba naye; akatendevuka, akati kwavari:
Kana munhu achivuya kwandiri, asingavengi baba vake namai, nomukadzi, navana, navanuuna, nehanzvadzi, kunyange novupenyu bwake vo, haangavi mudzidzi wangu.
Aninani usingatakuri muchinjikwa wake, akavuya shure kwangu, haangavi mudzidzi wangu.
Nokuti ndiani kwamuri, kana achida kuvaka svingo, usingatangi kugara pasi, akaverenga kukosha kwayo, kuvona kana anemari yokuipedzisa nayo?
Kuti zvimwe kana atanga nheyo, akakoniwa kupedzisa, vose vanozvivona, vasatanga kumuseka,
vachiti: Uyu munhu wakatanga kuvaka, akakoniwa kupedzisa.
Kana ndoupiko mambo, kana achienda kundorwa nomumwe mambo, usingatangi kugara pasi, akarangarira kana iye, unavanhu vanezvuru zvamazana zvinegumi, angagona kundosongana nounovuya kuzorwa naye, anavanhu vanezvuru zvamazana zvinamakumi maviri?
Kana asingagoni, unotuma nhume, iye achiri kure, kundokumbira mashoko orugare.
Saizvozvo vo, aninani kwamuri usingasiyi zvose zaanazvo, haangavi mudzidzi wangu.
Munyu wakanaka; asi kana munyu wadurungunda, ucharungwa neiko?
Hauchinebasa pamunda, kana padutu romupfudze; vanorashira kunze. Unenzeve dzokunzwa, ngaanzwe.

15

Zvino vateresi vose navatadzi vakaswedera kwaari, kuzomunzwa.
Vafarise navanyori vose vakanununa, vachiti: Uyu munhu unogamuchira vatadzi, achidya navo.
Zvino wakavavudza mufananidzo uyu, achiti:
Ndianiko kwamuri unamakwai anezana, kana akarashikirwa nerimwe rawo, ungasasiya makumi mapfumbamwe namapfumbamwe murenje, akatevera rakashika kusvikira ariwana?
Kana ariwana, unoriisa pamafudzi ake, achifara.
Kana asvika kumusha, unokokera shamwari dzake navakavaka naye, akati kwavari: Farai neni, nokuti ndawana gwai rangu rakanga rakarashika.
Ndinoti kwamuri, saizvozvo mufaro uchava kudenga pamusoro pomutadzi mumwe unotendevuka, kupfuvura pavakarurama vanamakumi mapfumbamwe navapfumbamwe, vasingatsvaki kutendevuka. Mufananidzo wedrakema rakarashika.
Ndoupiko mukadzi unamadrakema * anegumi, kana arashikirwa nerimwe, ungarega kutungidza mwenje, akatsvaira imba, akatsvakisisa, kusvikira ariwana?
Kana ariwana, unokokera hama dzake navakavaka naye, akati kwavari: Farai neni, nokuti ndawana drakema randakanga ndarashikirwa naro.
Ndinoti kwamuri, saizvozvo mufaro uripo pamberi pavatumwa vaMwari pamusoro pomutadzi mumwe unotendevuka. Mufananidzo womwanakomana wakarashika.
Zvino wakati: Mumwe munhu waiva anavanakomana vaviri.
Muduku wavo akati kunababa vake: Baba, ndipei mugove wenhaka uchazova wangu. Akavagovera fuma yake.
Mazuva mashoma akati apfuvura, mwanakomana muduku akavunganidza zvose, akaenda kunyika iri kure; akaparadzako nhaka yake achifamba nemitovo yakaipa.
Zvino wakati apedza zvose; nzara huru ikasvika panyika iyo, akatanga kushaiwa.
Ipapo akaenda, akandozviisa kunomumwe wavanhu venyika iyo; iye akamutumira kuminda yake, kundofudza nguruve.
Wakanga achida kuzvigutsa namateko aidyiwa nenguruve; asi kwakanga kusinomunhu waimupa.
Zvino wakati achizvifunga, akati: Varanda vazhinji sei vababa vangu vanezvokudya zvakawandisa, asi ini ndofa pano nenzara.
Ndichasimuka, ndiende kunababa vangu, nditi kwavari: Baba ndatadzira kudenga, napamberi penyu,
handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu; mundiite somumwe wavaranda venyu.
Akasimuka, akaenda kunababa vake. Wakati achiri kure, baba vake vakamuvona, vakamunzwira tsitsi vakamhanya, ndokumufungatira, nokumusveta.
Mwanakomana akati kwavari: Baba, ndatadzira kudenga napamberi penyu, handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu.
Asi baba vakati kuvaranda vavo: Kurumidzai, muvuye nenguvo yakaisvonaka, mumupfekedze iyo; muise mhete pamunwe wake, neshangu patsoka dzake;
muvuye nemhuru yakakodzwa, muibaye, tidye, tifare;
nokuti mwanakomana wangu uyu wakanga afa, wararama zve; wakanga arashika, wawanika zve. Zvino vakatanga kufara.
Mwanakomana wake wedangwe wakanga ari kumunda; zvino akati achisvika, achiswedera paimba, ndokunzwa kuimba nokutamba.
Ipapo akadanira kwaari mumwe wavaranda, akamubvunza kuti izvi zvinyiko.
Akati kwaari: Munununa wako wasvika, zvino baba vako vabaya mhuru yakakodzwa, nokuti vamuwana zve ari mupenyu.
Asi iye wakatsamwa, akaramba kupinda. Zvino baba vake vakabuda, vakakumbira zvikuru kwaari,
Asi iye wakapindura, akati kunababa vake: Tarirai, ndakakubatirai makore awa mazhinji, ndisingatongodariki murairo wenyu, asi hamuna kutongondipa mbudzana, kuti ndifare neshamwari dzangu.
Asi mwanakomana wenyu uyu, wakaparadza fuma yenyu nezvifeve, wakati asvika,mamubaira mhuru yakakodzwa.
Ivo vakati kwaari: Mwana wangu, iwe uneni nguva dzose, zvose zvangu ndezvako.
Kwaifanira kuti tifare nokufarisisa, nokuti munuuna wako uyu wakanga afa, wararama; wakanga arashika, akawanikwa.

16

Zvino wakati vo kuvadzidzi vake: Kwakanga kunomufumi, waiva nomutariri; iye akacherwa kwaari, zvichinzi unoparadza fuma yake.
Ipapo akamudana, akati kwaari: Izvi zvandinonzwa pamusoro pako ndezveiko? Chizvidavirira pamusoro povutariri bwako; nokuti haungazovi mutariri.
Zvino mutariri akati mumoyo make: Ndichaiteiko, ishe wangu zvowonditorera vutariri bwangu? Handinesimba rokurima naro; kukumbira ndinonyara.
Ndinoziva zvandichaita, kuti kana ndabudiswa pavutariri, vandigamuchire mudzimba dzavo.
Zvino akadana mumwe nomumwe wakanga anechikwereti nashe wake, akati kunowokutanga: Unechikwerete chakadiniko kunashe wangu?
Iye akati; Makate anezana amafuta. Akati kwaari: Tora runyoro rwako, gara pasi pakarepo, unyore makumi mashanu.
Akati kunomumwe: Ko iwe, unechikwerete chakadiniko? Iye akati: Matengu anezana ezviyo. Akati kwaari: Tora runyoro rwako, unyore makumi masere.
Ishe wake akarumbidza mutariri usakarurama, nokuti wakanga aita nokuchenjera; nokuti vana venyika ino vakachenjera parudzi rwavo kukunda vana vechiedza.
Ndinoti kwamuri: Muzviitire shamwari neFuma isakarurama, kuti, kana yapera, vakugamuchirei mudzimba dzisingaperi.
Wakatendeka pazvinhu zviduku-duku, wakatendeka vo pazvikuru; asi usakarurama pazvinhu zviduku-duku, haangarurami vo pazvikuru.
Naizvozvo kana musina kuva vakatendeka pafuma isakarurama, ndianiko uchakutendai nefuma yazvokwadi?
Kana musinakuva vakatendeka pazvinhu zvomumwe, ndianiko uchakupai zvenyu.
Hakuno muranda ungagona kubatira vatenzi vaviri: nokuti uchavenga mumwe, akada mumwe; kana uchanamatira mumwe, akazvidza mumwe; hamungabatiri Mwari neFuma. Jesu unotuka vaFarise.
Zvino vaFarise, vakanga vachida mari, vakanzwa izvozvo zvose, vakamuseka.
Akati kwavari: Imi munozviruramisa pamberi pavanhu, asi Mwari unoziva moyo yenyu; nokuti izvo zvinokudzwa pakati pavanhu, zvinonyagadza pamberi paMwari.
Murairo navaporofita zvakanga zviripo kusvikira kunaJohane; kubva panguva iyo vushe bwaMwari bwunoparidzwa, mumwe nomumwe unopinda mabwuri nesimba.
Asi zvakareruka kuti denga nenyika zvipfuvure, pakuti tsanga imwe yomurairo ikoneswe.
Mumwe nomumwe unorasha mukadzi wake, akawana mumwe, unoita vupombwe, vuye mumwe nomumwe unowana wakarashwa nomurume unoita vupombwe. Mufananidzo womufumi naRazaro
Mumwe mufumi wakanga aripo, waipfeka nguvo tsvuku nemicheka yakanaka, nokufarira zvakaisvonaka misi yose.
Zvino mumwe murombo, wainzi Razaro, wakanga anamaronda mazhinji, akaiswa pasuvo rake,
achida kuzvigutisa nezvaiwa patafura romufumi; kunyange nembwa dzaivuya dzichinanzwa maronda ake.
Zvino murombo wakati afa, vatumwa vakamuisa pachifuva chaAbhurahamu. Mufumi akafa vo, akavigwa.
Zvino ari muHadhesi, ari pakurwadziwa, akatarira kumusoro, akavona Abhurahamu ari kure, naRazaro, ari pachifuva chake.
Akadanidzira, akati: Baba Abhurahamu, ndinzwirei ngoni; tumai Razaro, kuti anyike muromo womunwe wake mumvura, atonhodze rurimi rwangu, nokuti ndinorwadziwa nomurazvo uyu womoto.
Abhurahamu akati: Mwana, funga kuti wakapiwa zvakanaka zvako pavupenyu bwako; naRazaro, saizvozvo wakapiwa zvakaipa; asi zvino iye unonyaradzwa pano, iwe unorwadziwa.
Vuye pazvinhu izvi zvose, mukaha mukuru wakaiswa pakati pedu nemi, kuti vovuno vanoda kuenda mhiri kwamuri, vakoniwe, novoko varege kuyambukira kwatiri.
Ipapo akati: Ndinokumbira kwamuri Baba, kuti mumutumire kumba kwababa vangu;
nokuti ndina vanununa vashanu; kuti andonatso-vapupurira, kuti varege kuvuya vo panzvimbo ino yokurwadziwa.
Abhurahamu akati: Mosesi navaporofita vanavo, ngavavanzwe ivo.
Iye akati: Kwete, Baba Abhurahamu, asi kana mumwe akabva kuvakafa, akaenda kwavari, vangatendevuka.
Akati kwaari: Kana vasinganzwi Mosesi navaporofita, havangatendiswi, kunyange mumwe akamuka kuvakafa.

17

Zvino wakati kuvadzidzi vake: Hazvingaitiki kuti zvigumbuso zvisavuya. Asi unenhamo iye wazvinovuya naye.
Zvaiva nani kwaari. Kuti guyo risungirirwe pamutsipa wake, awisirwe mugungwa, pakuti agumbuse mumwe wavaduku ava.
Chenjerai: kana hama yako ikakutadzira, umuraire; kana akatendevuka, umukangamwire.
Kunyange akutadzira kanomwe nezuva rimwe, akadzokera kwauri kanomwe, achiti: Ndatendevuka; umukangamwire. Simba rokutenda. Varanda pasina.
Zvino vapostora vakati kunaShe: Tiwedzerei kutenda kwedu.
Ishe akati: Kana maiva nokutenda kwakaita setsanga yemastarda, maiti kumuvonde uyu: Dzurwa, usimwe mugungwa! Uchakutererai.
Ndiani kwamuri ungava nomuranda unorima, kana unofudza makwai, akati kwaari, achibva kumunda: Vuya, ugare pakudya.
Handiti ungati kwaari: Ndigadzirire zvokudya, uzvisunge chivuno, undishandire, kusvikira ini ndadya, ndikamwa; iwe ugozodya, nokumwa?
Ko ungatenda muranda, zvaaita zvakanga zvarairwa here?
Saizvozvo nemi vo, kana maita zvose zvamarairwa, muti: Tiri varanda pasina, takaita sezvataifanira kuita. Jesu unoporesa vanamaperembudzi vanegumi.
Zvino vakati vachienda Jerusarema, akapfuvura napaSamaria neGarirea.
Zvino achipinda munomumwe musha, akasongana navarume vanegumi vaiva namaperembudzi, vamire kure.
Vakadanidzira, vachiti: Jesu, Tenzi, tinzwirei ngoni!
Zvino wakati achivavona, akati kwavari: Endai mundozviratidza kuvaPirisita, Vakati vachienda, vakapora.
Zvino mumwe wavo, wakati achivona kuti ndaporeswa, akadzoka, achikudza Mwari nenzwi guru;
akawira pasi nechiso patsoka dzake, akamuvonga. Zvino iye wakanga ari muSamaria.
Ipapo Jesu akapindura, akati: Havana kuporeswa vanegumi here? Vapfumbamwe varipiko?
Hapana wakawanikwa wadzokera kuzokudza Mwari, asi uyu mutorwa here?
Ipapo akati kwaari: Simuka, uende; kutenda kwako kwakuponesa. Vushe bwaMwari, nokudzoka kwaShe.
Zvino wakati achibvunzwa navaFarise kuti vushe bwaMwari bwunosvika rini, akapindura, akati: Vushe bwaMwari habwuvuyi bwuchivonekwa.
Havangati: Tarirai pano! Kana: Uko! Nokuti tarirai, vushe bwaMwari bwuri mukati menyu.
Akati kuvadzidzi vake: Mazuva achasvika amuchatsvaka kuvona zuva rimwe ramazuva oMwanakomana womunhu, asi hamungarivoni.
Vachati kwamuri: Tarirai uko! Tarirai pano! Regai kuenda, kana kuvatevera;
nokuti semheni inopenya, ichibva kunorumwe rutivi pasi pedenga ichivhenekera kusvikira kunorumwe rutivi pasi pedenga, ndizvo zvichaita Mwanakomana womunhu vo nezuva rake.
Asi unofanira kumbotambudzika zvizhinji, nokurashwa norudzi urwu.
Sezvazvakanga zvakaita namazuva aNoa, ndizvo zvazvichaita vo namazuva oMwanakomana womunhu;
vaidya, nokumwa nokuwana, nokuwaniswa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka, mvura zhinji ikasvika, ikaparadza vose.
Sezvazva kanga zvakaita vo namazuva aRoti; vaidya, nokumwa, nokutenga, nokutengesa, nokusima, nokuvaka;
asinomusi wakabuda Roti muSodoma, moto nesurferi zvakanaya. Zvichibva kudenga, zvikavaparadza vose.
Ndizvo zvazvichaita vo nezuva iro, Mwanakomana womunhu raachavonekwa naro.
Nezuva iro, uri pamusoro peimba, nhumbi dzake dziri mumba, ngaarege kuburuka kundodzitora; saizvozvo vo, uri kumunda ngaarege kudzokera kunezviri shure.
Rangarirai mukadzi waRoti.
Aninani unotsvaka kungwarira vupenyu bwake, ucharashikirwa nabwo, vuye aninani unorashikirwa nabwo, uchabwuraramisa.
Ndinoti kwamuri: Vusiku ubwo varume vaviri vachava panhovo imwe, mumwe uchatorwa, mumwe uchasiyiwa.
Vakadzi vaviri vachakuya pamwe chete, mumwe uchatorwa, mumwe uchasiyiwa.
Vaviri vachava kumunda, mumwe uchatorwa, mumwe uchasiyiwa.
Ipapo vakapindura, vakati, kwaari: Ipiko, Ishe? Akati kwavari: Apo panomutumbu, ndipo panovunganira vo magora.

18

Zvino wakavavudza mufananidzo wokuti vanofanira kunyengetera nguva dzose, vasingarashi moyo;
akati: Munerimwe guta makanga munomumwe mutongi, wakanga asingatyi Mwari, kana kuva nehanya nomunhu.
Zvino kwakanga kune chirikadzi muguta iro, yairamba ichivuya kwaari, ichiti: Ndiruramisirei kumuvengi wangu.
Iye akamboramba nguva; asi pashure akati mumoyo make: Kunyange ndisingatyi Mwari, kana kuva nehanya nomunhu;
iyi chirikadzi zvainonditambudza, ndichairuramisira, kuti irege kuzovuya pashure indirove kumeso.
Ishe akati: Inzwai zvinorebwa nomutongi usakarurama.
Ko zvino Mwari haangaruramisiri vakasanangurwa vake, vanodanidzira kwaari vusiku namasikati, kunyange achinonoka pamusoro pavo here?
Ndinoti kwamuri: Uchakurumidza kuvaruramisira. Asi kunyange zvakadaro mwanakomana womunhu kana achisvika, uchawana kutenda panyika here? Mufananidzo womuFarise nomuteresi.
Wakareva vo mufananidzo uyu kuna vamwe, vakanga vachizvitenda, vachiti takarurama, vachizvidza vamwe, akati:
Vanhu vaviri vakakwira kutembere kundonyengetera, mumwe ari muFarise, mumwe ari muteresi.
MuFarise akandomira, akanyengetera kudai, achizvireva, akati: Ndinokutendai Mwari, kuti handina kufanana navamwe vanhu, makororo, vasakarurama, mhombwe, kana nomuteresi uyo.
Ndinozvinyima zvokudya kaviri nevhiki, ndinopachegumi chezvose zvandinowana.
Asi muteresi wakamira kure, asingadi kunyange nokutarira kudenga, akazvirova chifuva, akati: Mwari, ndinzwirei tsitsi, ini mutadzi!
Ndinoti kwamuri: Uyu wakaburukira kumba kwake aruramiswa kupfuvura uya. Nokuti mumwe nomumwe unozvikudza, uchaninipiswa vuye mumwe nomumwe unozvininipisa uchakudzwa. Jesu unogamuchira vanana. (Mat. 19. 13-15; Mar. 10. 13-16.)
Zvino vakavuya navacheche vo kwaari, kuti avanyangate; asi vadzidzi vakati vachizvivona, vakavaraira.
Ipapo Jesu akavadanira kwaari, akati: Regai vana vaduku, vavuye kwandiri, musavadzivisa, nokuti vushe bwaMwari ndobwavakadai.
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Aninani usingagamuchiri vushe bwaMwari somwana muduku, haangatongopindi mabwuri. Jaya mufumi (Mat. 19. 16-30; Mar. 20. 17-30.)
Zvino mumwe mukuru wakamubvunza, akati: Mudzidzisi wakanaka, ndingaiteiko kuti ndigare nhako yovupenyu bwusingaperi?
Jesu akati kwaari: Unondiidzireiko wakanaka? Hakun awakanaka, asi mumwe chete, iye Mwari.
Mirairo unoiziva,inoti: Usaita vupombwe, usavuraya, usaba, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako.
Iye akati: Izvi zvose ndakazvichengeta kubva pavuduku bwangu.
Zvino Jesu achizvinzwa, akati kwaari: Unoshaiwa chinhu chimwe chete; tengesa zvose zvaunazvo, upe varombo, uve nefuma kudenga;ugovuya, unditevere.
Zvino wakati achinzwa izvozvo, akabatwa neshungu kwazvo; nokuti wakanga anefuma zhinji.
Zvino Jesu, achimuvona, akati: Vanefuma vacharemerwa sei kupinda muvushe bwaMwari.
Nokuti kamera ingarerukirwa kupinda pavuri rorunji, kumufumi kupinda muvushe bwaMwari.
Zvino vakanga vazvinzwa, vakati: Ndianiko ungagoponeswa?
Iye akati: Izvo zvisingabviri kuvanhu, zvinobvira kunaMwari.
Ipapo Petro akati: Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai.
Akati kwavari: Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Hakuno munhu wakasiya imba, kana mukadzi, kana vanununa, kana vabereki, kana vana, nokuda kwovushe bwaMwari.
usingazopiwi zvizhinji kuna izvozvo nenguva ino, vuye vupenyu bwusingaperi nenguva inovuya. Jesu unovaudza zvorufu rwake nokumuka kwake. (Mat. 20. 17-19; Mar. 10. 32-34.)
Zvino wakatora vanegumi navaviri, akati kwavari: Tarirai, tinokwira Jerusarema, Mwanakomana womunhu uchaitirwa zvose zvakanyorwa navaporofita.
Nokuti uchaiswa kuvahedheni, nokusekwa, nokuitirwa zvakaipa, nokupfirwa mate,
vachamurovesa, nokumuvuraya, asi nezuva retatu uchamuka zve.
Asi havana kunzwisisa chinhu chimwe chaizvozvo; shoko iri rakanga rakavanzika kwavari, vuye havana kunzwisisa izvo zvakarebwa. Jesu unosvinudza bofu paJeriko. (Mat. 20. 29-34; Mar. 10. 46-52.)
Zvino wakati aswedera Jeriko, rimwe bofu raigara panzira richikumbira,
rakanzwa vanhu vazhinji vachipfuvura, rikabvunza, richiti: Chinyiko?
Vakarivudza, vachiti: Ndi Jesu, weNazareta, unopfuvura.
Ipapo rakadanidzira, richiti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!
Zvino vakanga vakatungamira vakariraira, kuti rinyarare; asi rakanyanya kudanidzira, richiti: Mwanakomana waDavidhi, ndinzwirei ngoni!
Zvino Jesu wakamira, akaraira kuti vavuye naro kwaari; rikati raswedera, akaribvunza,
achiti: Unoda kuti ndikuitireiko? Rikati: Ishe, kuti ndivone.
Jesu akati kwaari: Chivona, kutenda kwako kwakuponesa.
Pakarepo rikavona, rikamutevera, richirumbidza Mwari. Vanhu vose vakati vachizvivona vakakudza Mwari.

19

Zvino Jesu wakapinda Jeriko, akapfuvura napakati.
Zvino murume waivapo, wainzi Zakeo; iye wakanga ari mukuru wavateresi, vuye waiva mufumi;
akatsvaka kuvona Jesu, kuti ndiye ani; asi wakanga asingagoni, nokuti wakanga akafupika.
Ipapo akamhanyira mberi, akakwira mumuvonde kuti amuvone, nokuti wakanga opfuvura napo.
Zvino Jesu wakati achisvikapo akatarira kumsoro, akamuvona akati kwaari: Zakeo, kurumidza uburuke; nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako.
Iye akakurumidza kuburuka, akamugamuchira nomufaro.
Vose vakazvivona, vakanununa, vachiti: Wapinda kundogara nomurume uri mutadzi.
Ipapo Zakeo akamira, akati kunaShe; Tarirai, Ishe, hafu yefuma yangu,ndinoipa varombo, vuye kana ndatorera mumwe chinhu chake nokunyengera, ndinomudzosera zvava zvina.
Jesu akati kwaari: Nhasi ruponeso rwasvika paimba ino; nokuti naiye vo mwanakomana waAbhurahamu.
Nokuti Mwanakomana womunhu wakavuya kuzotsvaka nokuponesa chakarashika. Mufananidzo wepondo. (Mat. 25. 14-30.)
Vakati vachanzwa izvozvo, akawedzera akataura mumwe mufananidzo, nokuti wakanga ava pedo neJerusarema, ivo vakati vushe bwaMwari bwobva bwovonekwa pakarepo.
Naizvozvo akati: Mumwe munhu mukuru wakaenda kunyika yakanga iri kure, kuti andopiwa vushe, agodzoka zve.
Akadana varanda vake vanegumi, akavapa pondo dzinegumi, akati kwavari: Shambadzirai, kusvikira ndichivuya zve.
Asi vanhu venyika yake vakanga vachimuvenga, vakatuma nhume kumutevera, kundoti: Hatidi kuti uyu munhu ave ishe wedu.
Zvino wakati adzoka kuya kwaakanga andopiwa vushe, akaraira kuti vaya varanda vaakanga apa mari, vadanirwe kwaari, anzwe kuti mumwe nomumwe wakawanei nokushambadzira kwake.
Wokutanga akasvika, akati: ishe, pondo yenyu yakawana dzimwe pondo dzinegumi zve.
Akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka; zvawakanga wakatendeka pazviduku-duku, ubate maguta anegumi.
Wechipiri akasvika, akati: Ishe, pondo yenyu yakawedzera zve pondo shanu.
Akati kwaari vo: Newe, ubate maguta mashanu.
Zvino mumwe akasvika, akati: Ishe, tarirai pondo yenyu heyi. Yandakanga ndachengeta mumucheka.
nokuti; ndakanga ndichikutyai,zvamuri munhu unehasha munotora zvamusakaisapo, munocheka zvamusakakusha.
Akati kwaari: Ndichakutonga namashoko ako amene, iwe muranda wakaipa! Wakanga uchiziva kuti ndiri munhu unehasha, ndichitora zvandisakaisa, ndichicheka zvandisakakusha;
zvino wakaregereiko kuisa mari yangu mubhanga, ndikazoitora pakudzoka kwangu yawanda.
Ipapo akati kunavakanga vamirepo: Munotorerei pondo iyo, muipe unepondo dzinegumi.
Vakati kwaari: Ishe, watova nepondo dzinegumi.
Ndinoti kwamuri: Mumwe nomumwe unechinhu, uchapiwa; asi usina, uchatorerwa nezvaanazvo.
Asi vavengi vangu avo, vakanga vasingadi kuti ndive ishe wavo, vuyai navo pano, muvavuraye pamberi pangu.
Wakati areva izvozvo, akatungamira mberi, achikwira Jerusarema. Jesu unogamuchirwa paJerusarema. (Mat. 21. 1-9; Mar. 11.1-10; Joh. 12. 12-15.)
Wakati oswedera Betifage neBetania, kugomo rinonzi reMiorivhi, akatuma vadzidzi vake vaviri,
achiti: Endai kumusha wakatarisana nemi; kana muchipinda mauri, muchawana mhuru yembongoro yakasungirwa, isina kumbotaswa nomunhu; muisunungure, mugovuya nayo.
Kana mumwe akakubvunzai, achiti: Munoisunungurireiko? Muti kwaari kudai: Ishe unoida.
Avo vakatumwa vakaenda, vakandowana sezvaakanga avavudza.
Zvino vakati vachisunungura mhuru, vene vayo vakati kwavari: Munosunungurireiko mhuru?
Vakati: Ishe unoida.
Vakavuya nayo kuna Jesu, vakaisa nguvo dzavo pamusoro pemhuru, vakatasvisa Jesu pamusoro payo.
Zvino achifamba, vakawarira nguvo dzavo munzira.
Akati oswedera pamaburusiro egomo reMiorivhi, vadzidzi vake vazhinji vose vakatanga kufara nokurumbidza Mwari nenzwi guru pamusoro pamabasa ose esimba avakanga vavona.
vachiti: Mambo ngaakudzwe, iye unovuya muzita raShe! Rugare ngaruve kudenga, nokubwinya kumuso-soro!
Vamwe vaFarise pakati pavazhinji vakati kwaari: Mudzidzisi, rairai vadzidzi venyu!
Akapindura, akati: Ndinokuvudzai, kana ava vakanyarara, mabwe angadanidzira. Jesu unochema pamusoro peJerusarema.
Zvino wakati aswedera pedo, akavona guta, akachema pamusoro paro,
achiti: Dai waiziva iwe zuva rino zvinhu zvingakupa rugare, asi zvino zvakavanzirwa meso ako!
Nokuti uchasvikirwa namazuva, auchavakirwa nawo muchinjiziri navavengi vako, vachakukomba, nokukumanikidza pamativi ose;
vachakuparadzira pasi, iwe navana vako mukati mako; havangaregi mukati mako ibwe rimwe riri pamusoro perimwe; nokuti hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako. Jesu unonatsa tembere. (Mat. 21. 12-16; Mar. 11. 15-18.)
Zvino wakapinda mutembere, akatanga kubudisira kunze vakanga vachitengesamo,
achiti kwavari: Kwakanyorwa kuti imba yangu ichava imba yokunyengetera; asi imi makaiita bako ramakororo.
Waidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutembere; asi vaPirisita vakuru navanyori navakuru vavanhu vakanga vachitsvaka kumuvuraya.
Asi vakanga vasingawani zvavangaita, nokuti vanhu vose vakamunamatira, vachimunzwa..

20

Zvino panerime ramazuva iwayo, achidzidzisa vanhu mutembere, achivaparidzira Evhangeri, vaPirisita vakuru navanyori navakuru vakasvika,
vakataura, vakati kwaari: Tivudzei, kuti munoita zvinhu izvi nesimba ripi, kana ndianiko wakakupai simba iri?
Akapindura, akati kwavari: Neni ndichakubvunzai vo shoko; ndivudzei:
Rubhabhatidzo rwaJohane rwakabva kudenga kana kuvanhu here?
Vakataurirana pakati pavo, vachiti: Kana tikati, Kudenga, uchati: Zvino makagoregerei kumutenda?
Asi kana tikati,Kuvanhu, vanhu vose vachatitaka namabwe; nokuti ivo vanotenda kuti Johane waiva muporofita.
Vakapindura, vachiti hatizivi kwarwakabva.
Zvino Jesu akati kwavari: Neni vo handingakuvudziyi simba randinoita naro zvinhu izvi. Mufananidzo wavarimi vakaipa. (Mat. 21. 33-46; Mar. 12. 1-12.)
Zvino wakatanga kuvudza vanhu mufananidzo uyu:: Mumwe munhu wakanga asima munda wemizambiringa; akaupa varimi, akandogara kumwe nguva refu.
Nenguva yezvibereko akatuma muranda kuvarimi, kuti vamupe zvibereko zvomunda wemizambiringa; asi varimi vakamurova, vakamudzosa asina.
Akatuma zve mumwe muranda; naiye vo vakamurova, vakamunyadzisa, vakamudzosa asina.
Akatuma zve wechitatu; naiye vakamukuvadza, vakamubudisa kunze.
Zvino mwene womunda wemizambiringa akati: Ndichaiteiko? Ndichatuma mwanakomana wangu unodikanwa, zvimwe vachamukudza iye.
Asi varimi vakati vachimuvona, vakarangana, vakati: Uyu ndiye mugari wenhaka; ngatimuvuraye, nhaka igova yedu.
Vakamubudisa kunze kwomunda wemizambiringa, vakamuvuraya. Zvino, mwene womunda wemizambiringa uchavaiteiko?
Uchavuya, akaparadza varimi ivava; munda wemizambiringa akaupa vamwe. Zvino vachinzwa izvozvo, vakati: Haisva!
Wakati avatarisisa, akati: Zvino chinyiko icho chakanyorwa, chinoti:Ibwe rakarashwa navavaki,Ndiro rakazova musoro wekona?
Mumwe nomumwe unowira pamusoro pebwe iro, uchavhunikanya; asi warinowira richamukuya akaita upfu. Kuripira Kesari mutero. (Mat. 22. 15-22; Mar. 12. 13-17.)
Zvino vanyori navaPirisita vakuru vakatsvaka nenguva iyo kumubata, asi vakatya vanhu; nokuti vakaziva kuti wakavareva ivo nomufananidzo uyo.
Vakamucherekedza, vakatuma vashori vakazviita savanhu vakarurama, kuti vamubate pakutaura kwake, vamuise kuvushe nesimba romutongi.
Vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi,. Tinoziva kuti munotaura nokudzidzisa zvakarurama, musingatendi zvinovonekwa zvomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari nezvokwadi,
Ko zvino takatenderwa kuripira Kesari mutero here, kana kwete?
Asi iye achiziva kunyengera kwavo, akati kwavari: munondiidzireiko?
Ndiratidzei dhenari.* Rinomufananidzo norunyoro rwaniko? Vakati: ZvaKesari,.
Ipapo akati kwavari: Naizvozvo ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.
Vakakoniwa kumubata pakutaura kwake pamberi pavanhu; vakashamiswa nokupindura kwake; ndokunyarara. Vanobvunza Jesu pamusoro pokumuka kwavakafa. (Mat. 22. 23-33; Mar. 12. 18-27.)
Zvino vamwe vaSadhuse, ivo vanoramba kumuka kwavakafa vachiti hakuna, vakavuya kwaari, vakamubvunza,
vachiti: Mudzidzisi, Mosesi wakatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa, anomukadzi, asi iye asinavana munununa wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake vana.
Zvino kwakanga kunavanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akatora mukadzi, akafa asinavana;
nowechipiri: akamuwana akafa asina mwana.
nowechitatu amutora; nokudaro navanomwe vakasasiya vana, vakafa.
Pashure mukadzi akafa vo;
Zvino pakumuka uchava mukadzi waniko kwavari? Nokuti wakanga ari mukadzi wavose vanomwe.
Jesu akati kwavari: Vanakomana venyika ino vanowana; vuye vanowaniswa;
asi avo vachanzi naMwari vakafanira kuwana nyika iyo nokumuka kwavakafa, havawani, vuye havawaniswi.
Nokuti havazofi zve; nokuti vachaenzana navatumwa; vava vanakomana vaMwari zvavari vanakomana vokumuka kwavakafa.
Naiye Mosesi vo wakaratidza pashoko reGwenzi kuti vakafa vanomutswa zve, paakati Ishe ndiye Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho.
Zvino Mwari haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu; nokuti vose vapenyu kwaari.
Ipapo vamwe vanyori vakamupindura, vakati: Mudzidzisi, mataura zvakanaka.
Pashure paizvozvo hakuna wakazotsunga kumubvunzazve mibvunzo. Kristu Mwanakomana waDhavhidhi. (Mat. 22. 41-46; Mar. 12. 35-37.)
Zvino akati kwavari: Vanoreva seiko kuti Kristu ndiye Mwanakomana waDavhidhi?
Nokuti Dhavhidhi wakareva amene mubuku yaMapisarema achiti: Ishe wakati kuna She wangu: Gara kurudyi rwangu,
Kusvikira ndaisa vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.
Naizvozvo, Dhavidhi unomuidza Ishe, zvino ungagova Mwanakomana wake seiko? Jesu unonyevera vadzidzi vake. (Mat. 23. 1-14; Mar. 12. 38-40.)
Zvino akati kuvadzidzi vake, vanhu vose vachizvinzwa:
Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, vachifarira kukwaziswa padare, nezvigaro zvapamberi mumasinagoge, novugaro bwapamberi pamitambo;
vanoparadza dzimba dzechirikadzi, vachiita mano-mano eminyengetero mirefu; ivavo vachatongerwa zvakaipa zvinopfuvurisa.

21

Zvino wakati achitarira, akavona vafumi vachiisa zvipo zvavo muchivigiro chemari.
Akavona imwe chirikadzi, waiva murombo, achiisamo tumari tuviri tuduku.
Akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi, iri murombo, yakaisa kupfuvura vamwe vose;
nokuti avo vose vakaisa pazvipo vachitora pazvizhinji zvavo, asi uyu wakaisa, achitora pakushaiwa kwake, zvaaifanira kurarama nazvo, zvose zvaakanga anazvo. Jesu unoporofita kuputswa kweJerusarema nokudzoka kwake. (Mat. 24. 1-51; Mar. 13. 1-29.)
Zvino vamwe vakati vachitaura pamusoro petembere, kuti yakanga yakashongedzwa namabwe akanaka nezvipo, iye akati:
Kana zviri izvi zvamunovona, mazuva achasvika, asingazoregwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi.
Zvino vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chichava chipi, kana izvozvi zvodokuitwa?
Akati: Chenjerai, kuti murege kutsauswa; nokuti vazhinji vachavuya nezita rangu, vachiti: Ndini Kristu; nguva yaswedera. Musavatevera.
Kana muchinzwa zvokurwa, nenyonganiso, musavhunduka henyu, nokuti izvozvi zvinofanira kumboitwa; asi kuguma hakusviki pakarepo.
Akati kwavari: Rudzi rumwe ruchamukira rumwe rudzi, novushe hwumwe hwuchamukira hwumwe vushe.
Kudengenyeka kukuru kwenyika kuchavapo, nokunedzimwe nzvimbo nzara nehosha, nezvinotyisa, vuye zviratidzo zvikuru, zvichabva kudenga, zvichavapo.
Asi izvozvi zvose zvisati zvasvika, vachakubatai, nokukutambudzai, vachikuisai kumasinagoge nomumatorongo, nokukuisai pamberi pamadzimambo navabati, nokuda kwezita rangu.
Ichi chichava chapupu kwamuri.
Naizvozvo simbai mumoyo menyu, kuti murege kumbofungisisa pamuchapindura napo.
Nokuti ndichakupai muromo nokuchenjera, kuchakonesa vavengi venyu vose kukukundai nokuramba zvamunoreva.
Muchaiswa kuvatongi kunyange navabereki, navanununa, nehama, neshamwari; vamwe venyu vachavurawa.
Muchavengwa navanhu vose nokuda kwezita rangu.
Asi ruvhudzi rumwe rwomusoro wenyu harungarashiki.
Nokutsungirira kwenyu muchawana vupenyu hwenyu.
Zvino kana muchivona Jerusarema rakombwa nehondo, zivai kuti rodokuparadzwa.
Musi uyo vari muJudhea ngavatizire kumakomo; navari pakati paro ngavabude; navari kuruwa ngavarege kupindamo.
Nokuti iwayo ndiwo mazuva okutsiva, kuti zvose zvakanyorwa zviitike.
Asi vachava nenhamo vanemimba navanomwisa namazuva iwayo, nokuti kutambudzika kukuru kuchavapo panyika, nokutsamwa pamusoro pavanhu ivavo.
Vachaparadzwa nomuromo womunondo, nokutapwa kumarudzi ose; Jerusarema richatsikwa navahedheni, kusvikira nguva dzavahedheni dzazadzika.
Zviratidzo zvichavapo pazuva napamwedzi, napanyeredzi; napanyika vurombo bwavanhu, vachikanganiswa nokutinhira kwegungwa namafungu;
vanhu vachapera nokutya nokutarira zvinowira nyika; nokuti masimba okudenga achadengenyeka.
Ipapo vachavona Mwanakomana womunhu achivuya negore, nesimba rokubwinya kukuru.
Asi kana izvozvi zvichitanga kuitika, tarirai kumsoro, musimudze misoro yenyu, nokuti kusunungurwa kwenyu kwaswedera.
Zvino akavataurira mufananidzo achiti: Tarirai muvonde nemiti yose;
kana yotunga, mukazvivona, munoziva mumene, kuti zvino zhezha rava pedo.
Saizvozvo, nemi vo, kana movona izvozvi zvoitwa, zivai kuti vushe bwaMwari hwava pedo.
Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Rudzi urwu harungatongopfuvuri, kusvikira zvose zvaitika.
Denga nenyika zvichapfuvura, asi mashoko angu haangatongopfuvuri.
Chenjerai kuti moyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa nokubatwa, nokufunganya pamusoro pezvinhu zvovupenyu hwuno, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva.
Nokuti richawira vose vagere panyika yose.
Asi rindai nenguva dzose, mukumbire, kuti mugone kupukunyuka pazvinhu izvo zvose zvinozoitwa, mugomira pamberi poMwanakomana womunhu.
Zvino waidzidzisa masikati mutembere, asi vusiku waibuda, akandovata mugomo rinonzi reMiorivhi.
Vanhu vose vakavuya kwaari mutembere mangwanani, kuzomunzwa.

22

Zvino mutambo wezvingwa zvisinembiriso, unonzi paseka, wakaswedera.
VaPirisita vakuru navanyori vakatsvaka kuti vangamuvuraya sei; nokuti vakanga vachitya vanhu. Judhasi Iskarioti unotsaka kutengesa Jesu. (Mat. 26. 14--16; Mar. 14. 10, 11.)
Zvino Satani wakapinda kuna Judhasi wainzi Iskarioti, mumwe wavanegumi navaviri.
Akaenda, akandorangana navaPirisita vakuru navakuru vetembere, kuti ungamuisa kwavari sei.
Vakafara, vakatenderana naye vose kuti vamupe mari.
Akatenda, akatsvaka nguva yokumuisa nayo kwavari pasi navanhu vazhinji. Paseka neChirayiro. (Mat. 26. 17-30; Mar. 14. 12-26.).
Zvino zuva rezvingwa zvisinembiriso rakati rasvika, rakafanira kubayirwa paseka naro.
akatuma Petro naJohane, achiti: Endai, mundotigadzirira paseka, kuti tidye.
Vakati kwaari: Munoda kuti tigadzirirepiko?
Akati kwavari: Tarirai, kana mapinda muguta, muchasongana nomunhu akatakura chirongo chemvura; mumutevere iye kumba kwanoenda;
muti kumwene weimba: Mudzidzisi unoti kwauri: Imba yavaeni iripiko, mandingadyira paseka navadzidzi vangu?
Uchakuratidzai imba huru iri kumusoro, yakarongedzwa; gadzirai ipapo.
Vakaenda, vakandowana sezvaakanga avavudza; vakagadzira paseka.
Zvino nguva yakati yasvika, akagara pakudya navaapostora.
Akati kwavari: Ndakanga ndichida zvikuru kudya paseka iyi nemi ndisati ndatambudzika.
Nokuti ndinoti kwamuri: Handichazoidyi, kusvikira yaitika muvushe hwaMwari.
Zvino akatora mukombe; akavonga, akati: Torai ichi, mugovane pakati penyu.
Nokuti ndinoti kwamuri: Kubva zvino handichatongomwi zve zvibereko zvomuzambiringa, kusvikira vushe bwaMwari bwasvika.
Akatora chingwa, akavonga, akamedura, akavapa, achiti: Ichi muviri wangu, unopiwemi; itai izvi, mugondirangarira.
Nokudaro vo, vapedza kurayira, akatora mukombe, akati: Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu, rinotevurirwemi.
Asi tarirai, ruvoko rwaiye, unondipandukira runeni patafura.
Nokuti mwanakomana womunhu unoenda hake, sezvazvakatemwa; asi unenhamo munhu uyo waanopandukirwa naye.
Ipapo vakatanga kubvunzana kuti ndianiko kwavari ungaita chinhu icho. Mukuru ndiani. (Mat. 20. 25-28; Mar. 10. 42-45.)
Zvino nharo dzakamuka pakati pavo kuti ndiani kwavari uchanzi mukuru.
Akati kwavari: Madzimambo avahedheni anesimba pamusoro pavo, navabati vavo vanonzi vabatsiri.
Zvino imi musadaro, asi mukuru kwamuri ngaave somuduku, nomutungamiri sounoshumira.
Nokuti ndianiko mukuru, ugere pakudya, kana unomushumira? Haazi iye ugere pakudya here? Asi ini ndiri pakati penyu sounoshumira.
Zvino imi ndimi makagara neni pamiidzo yangu.
Ndinokugarisai nhaka yovushe saBaba vangu vakandigarisa nhaka.
kuti mugodya nokumwa patafura rangu muvushe bwangu; muchagara pazvigaro zvovushe, muchitonga marudzi anegumi namaviri avaIsraeri. Jesu unovudza Petro kuti uchamuramba. (Mat. 26. 31-35; Mar. 14. 27-31; Ruka 13. 36-38.)
Simoni! Simoni! Tarira Satani wakakumbira kuti akuzungurei imi sezviyo;
asi ini ndakakukumbirira iwe, kuti kutenda kwako kurege kupera; iwe kana watendevuka, usimbise hama dzako.
Akati kwaari: Ishe, ndakazvigadzirira kuenda nemi mutorongo, kunyange kurufu.
Akati: Petro, ndinoti kwauri: Nhasi, jongwe risati rarira, ucharamba katatu uchiti haundizivi.
Zvino akati kwavari: Musi wandakakutumai, musinechikwama nehombodo neshangu, makashaiwa chinhu here? Vakati: Hakuna.
Akati kwavari: Asi zvino, unechikwama, ngaachitore, nokudaro vo unehombodo; usinomunondo, ngaatengese nguvo yake, autenge.
Nokuti ndinoti kwamuri, kuti izvi zvakanyorwa zvinofanira kuitika kwandiri, zvinoti: Wakaverengwa pamwe chete navadariki vomurairo; nokuti izvo zvakanyorwa pamusoro pangu zvoitika.
Ipapo vakati: Ishe, tarirai, heyi minondo miviri. Akati kwavari: Zvaringana. Jesu muGetsemani. (Mat. 26. 36-46; Mar. 14. 32-42.)
Zvino wakabuda, akaenda kugomo reMiorivhi, sezvaaisiita; navadzidzi vake vakamutevera.
Wakati asvika panzvimbo iyo, akati kwavari: Nyengeterai kuti murege kupinda pakuidzwa.
Akaparadzana navo, chinhambo chingasvika ibwe, kana rikaposherwa; akafugama akanyengetera,
achiti: Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri! Asi kuda kwangu kurege kuitwa, asi kwenyu.
Ipapo mutumwa akavonekwa naye, wakabva kudenga, akamusimbisa.
Zvino, ari pakutambudzika kukuru, wakanyanya kunyengetera; ziya rake rikaita samadonhwe eropa, akadonhera pasi.
Akasimuka pakunyengetera, akaenda kuvadzidzi, akavawana vavata neshungu dzomoyo.
Akati kwavari: Mavatireiko? Mukai, munyengetere, kuti murege kupinda pakuidzwa. Kusungwa kwaJesu. (Mat. 26. 47-56; Mar. 14. 43-50; Joh. 18. 1-11.)
Wakati achataura, tarira, vanhu vazhinji, naiye wainzi Judhasi, mumwe wavanegumi navaviri, akavatungamirira; akaswedera kunaJesu, kuti amusvete.
Jesu akati kwaari: Judhasi, unopandukira Mwanakomana womunhu nokusveta here?
Zvino vaiva naye vakati vachivona zvichaitika, vakati: Ishe, totema neminondo here?
Ipapo mumwe wavo akatema muranda womuPirisita mukuru, akamugura nzeve yorudyi.
Jesu akapindura, akati: Regai, zvaringana. Akabata nzeve yake, akamuporesa.
Zvino Jesu akati kuvaPirisita vakuru navakuru vetembere, navakuru vakanga vavuya kwaari kumubata: Mabuda neminondo netsvimbo sokugororo here?
Ndaiva nemi mutembere mazuva ose mukasandibata; asi zvino inguva yenyu nesimba rerima. Kuramba kwaPetro. (Mat. 26. 69-75; Mar. 14. 66-72; Joh. 18. 16-18, 25-27.)
Zvino vakamubata, vakaenda naye, vakandomuisa kumba kwomuPirisita mukuru. Petro akatevera ari kure.
Vakati vavesa moto pakati poruvazhe, vakagara pasi pamwe chete, naPetro akagara pakati pavo.
Zvino mumwe mushandiri wakati achimuvona agere muchiedza chomoto, akamutarisisa, akati: Nouyu vo wakanga anaye.
Asi iye wakaramba, achiti: Iwe mukadzi, handimuzivi.
Garegare, mumwe zve akamuvona, akati: iwe uri mumwe wavo. Petro akati: Iwe munhu, handizati.
Nguva inenge seimwe yakati yapfuvura, mumwe zve akasimbisa, achiti: Zvirokwazvo, uyu wakanga anaye vo; nokuti muGarirea.
Petro akati: Iwe munhu, handizivi zvaunoreva! Pakarepo, achataura, jongwe rikarira.
Ipapo Ishe akatendevuka, akatarira Petro. Petro akarangarira shoko raShe, raakanga amuvudza, achiti: Jongwe risati rarira nhasi, uchandiramba katatu.
Akabuda, akachema zvikuru.
Varume vo vakanga vabata Jesu, vakamuseka, nokumurova.
Vakafukidzira meso ake, vakamubvunza, vachiti: Profita kuti ndiani wakurova.
Nezvimwe zvizhinji vakareva kwaari, vachimutuka. Jesu pamberi pavaPirisita vakuru navakuru. (Mat. 26. 57-68; Mar. 14. 53-65; Joh. 18. 12-24.)
Zvino kwakati kwaedza, vakuru vavanhu navaPirisita vakuru navanyori vakavungana, vakamuisa kumakurukota avo,
vachiti: Kana uri Kristu, utivudze. Iye akati kwavari: Kana ndikakuvudzai, hamungatendi.
Kana ndikakubvunzai, hamungandipinduri.
Asi kubva zvino Mwanakomana womunhu uchagara kurudyi rwesimba raMwari.
Ipapo vose vakati: Uri Mwanakomana waMwari kanhi? Akati kwavari: Mareva kuti ndini iye.
Ivo vakati: Tichatsvakireiko chapupu? Nokuti tazvinzwira timene pamuromo wake.

23

Zvino vose vakanga vakavungana, vakasimuka, vakatanga kumupomera mhosva, vachiti:
Takawana munhu uyu achitsausa rudzi rwedu, achivadzivisa kuti varege kuvigira Kesari mutero; vuye achizviidza Kristu Mambo.
Ipapo Pirato akamubvunza, akati: Ko uri Mambo wavaJudha here? Akamupindura, akati: Ndizvo zvamareva.
Pirato akati kuvaPirisita vakuru nokuvazhinji; Handiwani mhosva kumunhu uyu.
Ivo vakanyanya, vachiti: Unomutsa vanhu, achidzidzisa muJudhea rose, achitanga paGarirea kusvikira pano.
Pirato wakati achinzwa izvozvo, akabvunza kana munhu uyu ari muGarirea.
Akati anzwa kuti unobva kunyika yakabatwa naHerodhe, akamutumira kunaHerodhe, nokuti wakanga ari muJerusarema amene pamazuva iwayo.
Zvino Herodhe wakafara kwazvo-kwazvo achivona Jesu; nokuti waida kumuvona kare, zvaakanga anzwa zvake; akafunga kuti uchavona chimwe chiratidzo chingaitwa naye.
Akamubvunza mashoko mazhinji; asi iye haana kumupindura chinhu.
VaPirisita vakuru navanyori vakamira vakamupomera mhosva zvikuru.
NaHerodhe navarwi vake vakamuzvidza, nokumuseka; vakazomupfekedza, nguvo dzinobwinya, vakamudzosera kunaPirato.
Nomusi uyo Pirato naHerodhe vakayanana; nokuti vaivengana.
Zvino Pirato akavunganidza vaPirisita vakuru navabati navanhu.
akati kwavari: Mavuya kwandiri nomunhu uyu, muchiti: Unotsausa vanhu; tarirai ini ndamubvunzisisa pamberi penyu, ndikasawana kumunhu uyu mhosva yezvinhu zvamunomupomera nazvo;
kunyange naHerodhe vo; nokuti wamudzosera kwatiri; tarirai, hakunechinhu chakaitwa naye, chaakafanira rufu.
Naizvozvo ndichamurova, ndigomusunungura.
Nokuti waifanira kuvasunungurira mumwe pamutambo.
Asi vose vakadanidzira pamwe chete, vachiti: Bvisai munhu uyu, mutisunungurire Bharabhasi!
Iye wakanga asungwa mutorongo nemhaka yebope rakanga ramutswa muguta, neyokuvuraya.
Zvino Pirato akataura zve navo, achida kusunungura Jesu.
Asi ivo vakaramba vachidanidzira, vachiti: Roverai pamuchinjikwa, mumurovere pamuchinjikwa!
Akati kwavari rwechitatu: Uyu wakagotadzeiko? Handina kuwana mhosva yorufu kwaari. Naizvozvo ndichamurova, ndigomusunungura.
Asi ivo vakasimbisa namanzwi makuru, vachikumbira kuti aroverwe pamuchinjikwa. Manzwi avo akakunda.
Zvino Pirato akatonga kuti zvavakakumbira zviitwe;
akavasunungurira uyo wavakakumbira, wakanga asungwa mutorongo nemhaka yebope neyokuvuraya; akavapa Jesu vaite nokuda kwavo. Jesu unoroverwa pamuchinjikwa. (Mat. 27. 32-56; Mar. 15. 21-41; Joh. 19. 17-37.)
Vakati vachienda naye, vakabata mumwe, wainzi Simoni weKurini, achibva kuruwa vakaisa muchinjikwa pamusoro pake, kuti autakure shure kwaJesu.
Akateverwa navanhu vazhinji-zhinji, navakadzi vaimuririra nokumuchema.
Asi Jesu wakatendevukira kwavari, akati: Vakunda veJerusarema, musandichema ini, asi muzvicheme imi navana venyu;
nokuti tarirai mazuva anovuya, avachati: Vakaropafadzwa vasingaponi, nezvizvaro zvisinakutongobereka, namazamu asina kumwisa.
Musi uyo muchatanga kureva kumakomo, muchiti: Wirai pamusoro pedu, nokuzvikomo; Tifukidzei.
Nokuti kana vachiita izvi kumuti munyoro, wakawoma uchaitirweiko?
Kwakanga kunavamwe vatadzi vaviri vo, vavakaenda navo pamwe chete naye kundovurawa.
Zvino vakati vasvika panzvimbo inonzi dehenya, vakamuroverapo navatadzi mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe.
Ipapo Jesu akati: Baba, muvakanganwire, nokuti havazivi chavanoita. Vakagovana nguvo dzake, vachikanda mijenya pamusoro padzo.
Vanhu vakamira, vachitarira; navabati vakamuseka vo, vachiti: Wakaponesa vamwe; ngaazviponese; kana ari Kristu waMwari. Musanangurwa wake.
Navarwi vo vakamuseka, vakavuya kwaari, vakamupa vhinega,
vachiti: Kana uri Mambo wavaJudha, uzviponese.
Zvino; kwakanga kuno runyoro vo pamusoro pake, rwaiti: UYU NDIMAMBO WAVAJUDHA.
Mumwe wavatadzi vakanga vakaturikwa wakamutuka, achiti: Hauzi Kristu here? Uzviponese, nesu vo.
Mumwe akapindura, akamuraira, achiti: Hautyi kunyange naMwari kanhi, zvauri pakutongwa kumwe naye?
Kana tirisu, takaitirwa patakafanirwa napo; nokuti isu tinopiwa zvakafanira mabasa edu; asi uyu haana kuita chinhu chisakafanira.
Ipapo akati Jesu mundirangarire kana mosvika muvushe bwenyu!
Iye akati kwaari: Zvirokwazvo, nhasi uchava neni muParadhiso.
Zvino yakanga yava nguva inenge yechitanhatu; rima rakavapo panyika yose, kusvikira panguva yepfumbamwe.
Zuva rikasviba; chidzitiro chetembere chakabvaruka napakati.
Zvino Jesu akadana nenzwi guru, achiti: Baba, ndinoisa mweya wangu pamavoko enyu! Akati areva izvozvo, akabudisa mweya wake.
Ipapo mukuru wezana wakati avona zvaitwa, akarumbidza Mwari, achiti: Zvirokwazvo, munhu uyu wakanga akarurama.
Vazhinji vose vakanga vakavungana kuzovona izvozvo, vakati vavona zvaitwa, vakadzoka vachirova zvifuva zvavo.
Navazikani vake vose, navakadzi, vaimutevera vachibva Garirea, vakamira kure, vachivona izvozvo. Kuvigwa kwaJesu. (Mat. 27. 57-66; Mar. 15. 42-47; Joh. 19. 38-42.).
Zvino kwakanga kunomumwe, wainzi Josefa, mumwe wamakurukota, murume wakanaka wakarurama,
(iye wakanga asina kutenderana navo pakurangana nokuita kwavo), waiva weArimatia, guta ravaJudha, wakanga achimirira vushe bwaMwari;
iye akaenda kunaPirato, akandokumbira mutumbu waJesu,
akauburusa, akauputira nomucheka, akauisa mubwiro bwakanga bwakacherwa pabwe, makanga musina kumbovigwa munhu.
Waiva musi wokugadzirira, sabata rodokutanga.
Navakadzi vakanga vavuya naye, vachibva Garirea, vakavatevera, vakavona bwiro, nomuisirwe womutumbu wake.
Vakadzoka, vakagadzira zvinonhuwira namafuta.

24

Nomusi wokutanga wevhiki, mambakwedza, vakavuya kubwiro, vakabata zvinonhuwira, zvavakanga vagadzira.
Vakawana ibwe rakakunguruswa, rabviswa pabwiro.
vakapinda, vakashaiwa mutumbu waShe Jesu.
Zvino vakati vachakanganiswa nazvo tarira, varume vaviri vakamira navo vanenguvo dzinopenya;
zvino nokutya kwavo vakakotamira pasi nezviso zvavo, ivo vakati kwavari: Munotsvakireiko mupenyu pakati pavakafa?
Haapo pano, wamuka. Fungai zvaakakuvudzai achiri Garirea,
kuti Mwanakomana womunhu unofanira kuiswa mumavoko avanhu vakaipa, aroverwe pamuchinjikwa, agomuka nezuva retatu.
Ipapo vakarangarira mashoko ake,
vakadzoka vachibva kubwiro, vakavudza vanegumi nomumwe navamwe vose zvinhu izvozvo zvose.
Vaiva Maria Magadarene naJohana naMaria, mai vaJakobho, navamwe vakadzi vaiva navo, vakandovudza vaapostora izvozvo.
Mashoko awa akaita soovupenzi kwavari; vakasaatenda.
Zvino Petro akasimuka, akamhanyira kubwiro; akakotama, akavona micheka iri yoga; ndokudzoka kumba kwake, ashamiswa nezvakanga zvaitwa. Jesu unosongana navaviri vanoenda Emausi
Pazuva irero vamwe vaviri vavo vakanga vachienda kumusha wainzi Emausi, wakanga uri kure neJerusarema mastadia anamakumi matanhatu;*
vakanga vachitaurirana pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zvaitika.
Zvino vakati vachataurirana nokubvunzana, Jesu amene akaswedera, akafamba navo.
Asi meso avo akanga abatwa, vakasamuziva.
Akati kwavari: Mashoko amunotaurirana pamusoro pawo muchifamba ndeeiko? Vakamira vaneshungu pamoyo.
Mumwe wavo, wainzi Kreopasi, akapindura, akati kwaari: Ko ndiwe woga ugere muJerusarema somutorwa, usingazivi zvakaitwamo mazuva ano here?
Akati kwavari: Zvinyiko? Vakati kwaari: ZvaJesu weNazareta, waiva amuporofita unesimba pabasa napashoko pamberi paMwari napavanhu vose;
vuye kuti vaPirisita vakuru navabati vedu vakamuisa kuvatongi kuti atongerwe rufu, vakamurovera pamuchinjikwa.
Takanga tichiti ndiye waizodzikinura vaIsraeri; vuye pamusoro paizvozvo zvose, nhasi rava zuva retatu kubva pakuitwa kwazvo.
Vuye zve, vamwe vakadzi vokwedu, vakanga vafumira kubwiro, vakatishamisa;
nokuti vakati vachishaiwa muviri wake, vakavuya vachiti, vavona chiratidzo chavatumwa vaiti mupenyu.
Zvino vamwe vaiva nesu, vakaenda kubwiro, vakandozviwana sezvavakareva vakadzi; asi iye havana kumuvona.
Zvino iye akati kwavari: Imi vokusafunga, munemoyo inononoka kutenda zvose zvakarebwa navaporofita!
Ko Kristu wakanga asingafaniri kutambudzika saizvozvo, agopinda pakubwinya kwake here?
Ipapo akatanga kunaMosesi navaporofita vose, akavadudzira zvakanyorwa pamusoro pake muMagwaro ose.
Zvino vakaswedera kumusha kwavakanga vachienda;iye akaita sowoda kupfuvura.
Vakamugombedzera, vachiti: Garai nesu, nokuti ava madekwana, zuva ravira. Ipapo akapinda kundogara navo.
Zvino wakati agara navo pakudya, akatora chingwa akachiropafadza, akachimedura, ndokuvapa.
Ipapo meso avo akasvinudzwa, vakamuziva; akanyangarika kwavari.
Vakataurirana, vachiti: Ko moyo yedu yakanga isingapisi mukati medu, achitaura nesu munzira, nokutizarurira Magwaro here?
Vakasimuka nenguva iyo, vakadzokera Jerusarema, vakawana vanegumi nomumwe navaiva navo vakavungana.
Ivo vakati: Ishe wamuka zvirokwazvo; wavonekwa naSimoni.
Vakarondedzera zvakaitika munzira, vuye kuti wakazikanwa navo sei pakumedura chingwa.
Vakati vachataura izvozvo, akamira pakati pavo amene, akati kwavari: Rugare ngaruve nemi!
Asi vakavhunduka, vakatya kwazvo, vakati zvimwe vavona mweya.
Akati kwavari: Munomanikidzwa neiko? Mifungo inomukireiko mumoyo yenyu?
Tarirai zvanza zvangu netsoka dzangu, kuti ndini ndimene. Ndibatei, muvone, nokuti mweya haunenyama namafupa, sezvamunondivona ndinazvo ini.
wakati areva izvozvo, akavaratidza zvanza zvake netsoka dzake.
Zvino vakati vachigere kutenda nokufara kwavo vachashamiswa, akati kwavari: Munezvokudya pano here?
Vakamupa nhindi yehove yakagochwa.
Akatora, akadya vachizvivona.
Akati kwavari: Ndiwo mashoko angu, andakakuvudzai ndichiri nemi, kuti zvose zvakanyorwa pamusoro pangu pamurairo waMosesi, napavaporofita, napaMapisarema, zvinofanira kuitika.
Ipapo akadzivura kuziva kwavo, kuti vanzwisise Magwaro.
Akati kwavari: Ndizvo zvakanyorwa, kuti Kristu uchatambudzika, agomuka kuvakafa nezuva retatu;
kuti marudzi ose aparidzirwe nezita rake kutendevuka nokukangamwirwa zvivi, vachitanga paJerusarema.
Imi muri zvapupu zvezvinhu izvi.
Tarirai, ndinotuma pamusoro penyu chipikirwa chaBaba vangu; asi imi garai muguta kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro. Kukwira kwaJesu. (Mar. 16. 19, 20; Mabasa 1. 9-11.)
Zvino akavatungamirira kunze kweguta kusvikira pakatarisana neBetania, ndokutambanudza mavoko ake, akavaropafadza.
Wakati achavaropafadza, akaparadzana navo, akakwidzwa kudenga.
Ipapo vakamunamata, vakadzokera Jerusarema vanomufaro mukuru.
Vakarambira mutembere, vachirumbidza Mwari.

Rechtsinhaber*in
Multilingual Bible Corpus

Zitationsvorschlag für dieses Objekt
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Luke (Shona). Luke (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5D2-C