1

Negore rechipiri ramambo Dhariusi, nomwedzi wechitanhatu, pazuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika nomuporofita Hagai kuna Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati waJudha, nokuna Joshua mwanakomana waJehozadhaki, mupirisiti mukuru, richiti,
Jehovha wehondo unotaura, achiti, Vanhu ava vanoti nguva ichigere kusvika, iyo nguva yokuvakwa kweimba yaJehovha.
Ipapo shoko raJehovha rakasvika nomuporofita Hagai, richiti,
Ko zvino inguva yamungagara imi mudzimba dzenyu dzakashongedzwa namatanda, imba ino riri dongo here?
Zvino zvanzi naJehovha wehondo, Cherekedzai zvamakaita.
Makakusha zvizhinji, asi makacheka zvishoma; munodya, asi hamuguti; munonwa, asi hamugungwi; munofuka, asi hakuna unodziyirwa; unobatira mubayiro unobatira kuti azvichengete muhombodo yakabvooka.
Zvanzi naJehovha wehondo, Cherekedzai zvamakaita.
Kwirai mugomo, muuye namatanda, muvake imba iyi; ini ndichaifarira, uye ini ndichakudzwa ndizvo zvinotaura Jehovha.
Makafunga kuwana zvizhinji, tarirai, zvakangoita zvishoma; makati mazviisa kumusha, ini ndikafuridzira pamusoro pazvo. Nemhaka yeiko? Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Nemhaka yeimba yangu riri dongo, mumwe nomumwe wenyu achimhanyira kumba kwake.
Saka denga rakaramba nedova nemhaka yenyu, nenyika inoramba nezvibereko zvayo.
Ndakadana kuwoma kuuye panyika, napamakomo, napazviyo, napawaini itsva, napamafuta, napane zvinoberekwa nevhu, napavanhu, napazvipfuwo, napamabasa ose amaoko avanhu.
Ipapo Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJoshua mwanakomana waJehozadhaki, mupirisiti mukuru, navanhu vose vakanga vasara, vakateerera inzwi raJehovha Mwari wavo, namashoko omuporofita Hagai, sezvaakanga atumwa naJehovha Mwari wavo; vanhu vakatya pamberi paJehovha.
Ipapo Hagai, nhume yaJehovha, wakataura navanhu sezvaakarairwa neshoko rakatumwa naJehovha, akati, Ndinemi ndizvo zvinotaura Jehovha.
Jehovha akamutsa mweya waZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati waJudha, nomweya waJoshua mwanakomana waJehozadhaki, mupirisiti mukuru, nomweya wavanhu vose vakanga vasara, vakauya vakabata paimba yaJehovha wehondo, Mwari wavo,
nezuva ramakumi maviri namana romwedzi wechitanhatu, negore rechipiri ramambo Dhariusi.

2

Nomwedzi wechinomwe, nezuva ramakumi maviri nerimwe romwedzi, shoko raJehovha rakasvika nomuporofita Hagai, richiti,
Zvino chitaura naZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati waJudha, naJoshua mwanakomana waJehozadhaki, mupirisiti mukuru, navanhu vose vakasara, uti,
Ndiani wakasara pakati penyu, wakadeya kuona imba ino pakubwinya kwayo kwokutanga? Zvino munoiona yakadiniko? Pakuona kwenyu haina kuita sapasina here?
Asi zvino chiva nesimba, iwe Zerubhabheri ndizvo zvinotaura Jehovha; newe Joshua mwanakomana waJehozadhaki, mupirisiti mukuru, iva nesimba; nemi vanhu vose venyika, ivai nesimba, mubate ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndinemi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Ndiro shoko resungano yandakaita nemi, nguva yamakabuda Ijipiti, mweya wangu uchigere pakati penyu; regai kutya.
Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Kamwe chete, kwasara chinguva chiduku, ndichazunungusa denga rose, nenyika negungwa, nenyika yakaoma;
ndichazunungusa ndudzi dzose; zvose zvinodikanwa nendudzi dzose zvichauya; ndichazadza imba ino nokubwinya, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Sirivha ndeyangu, nendarama ndeyangu ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Kubwinya kwokupedzisira kweimba ino kuchapfuura kwokutanga ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; panzvimbo ino ndichapa rugare ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Nezuva ramakumi maviri namana romwedzi wepfumbamwe, negore rechipiri raDhariusi, shoko raJehovha rakasvika nomuporofita Hagai, richiti,
Zvanzi naJehovha wehondo, Chibvunza vapirisiti pamusoro pomuriro, uti,
Kana munhu achitakura nyama tsvene mumupendero wenguwo yake, akagunzva nomupendero chingwa, kana zvakabikwa, kana waini, kana mafuta, kana zvokudya zvipi nezvipi, ko zvava zvitsvene here? Vapirisiti vakapindura, vakati, Kwete.
Ipapo Hagai akati, Kana munhu, wakasvibiswa nemhaka yokubata chitunha, akagunzva chinhu chimwe chaizvozvi, ko chasvibiswa here? Vapirisiti vakapindura, vakati, Chasvibiswa.
Ipapo Hagai akapindura, akati, Ndizvo zvakaita vanhu ava norudzi urwu pamberi pangu ndizvo zvinotaura Jehovha; ndizvo zvakaita zvose zvavanoita namaoko avo, uye zvavanobayirapo zvakasvibiswa.
Zvino fungai henyu kubva pazuva ranhasi muchidzokera shure, ibwe rimwe richigere kuiswa pamusoro pebwe muTemberi yaJehovha.
Nenguva iyo yose kana munhu achinge asvika pamurwi wezviyo zvezviyero zvina makumi maviri, zvaingovapo zvine gumi; kana munhu akasvika pachisviniro chewaini achiti ndinochera hari dzina makumi mashanu, dzaingovapo dzina makumi maviri.
Ndakakurovai nenyunje nokuvhuvha nechimvuramabwe pamabasa ose amaoko enyu; asi hamuna kutendeukira kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha.
Chifungai henyu kubva pazuva ranhasi muchidzokera shure, kubva pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wepfumbamwe, kubva pazuva rakateyiwa nheyo dzeTemberi yaJehovha, fungai izvozvo.
Ko mbeu ichimo mudura here? Zvirokwazvo, muzambiringa nomuonde nomutamba nomuorivhi hazvina kubereka; kubva pazuva rino ndichakuropafadzai.
Zvino shoko raJehovha rakasvika rwechipiri kuna Hagai nezuva ramakumi maviri namana romwedzi, richiti,
Taura naZerubhabheri, mubati waJudha, uti, Ndichazunungusa denga rose nenyika;
ndichawisira pasi zvigaro zvoushe; ndichaparadza simba roushe hwendudzi; ndichawisira pasi ngoro navanofamba nadzo; mabhiza navanotasva achawira pasi, mumwe nomumwe nomunondo wehama yake.
Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichakutora iwe, Zerubhabheri, muranda wangu, mwanakomana waShearitieri ndizvo zvinotaura Jehovha ndichakuita sechisimbiso; nokuti ndakakusanangura ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.

License
CC-0
Link to license

Citation Suggestion for this Edition
TextGrid Repository (2025). Christos Christodoulopoulos. Haggai (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5C1-F