1
Shoko raMwari rakaonekwa nomuporofita Habhakuki.
Aiwa, Jehovha, ndichadana kusvikira riniko, imi musinganzwi? Ndinodana kwamuri pamusoro pokuitirwa simba, asi hamundiponesi.
Munondiratidzireiko zvakaipa, munotarireiko zvisakarurama? Nokuti kuparadza nokuitira vamwe simba zviri pamberi pangu; rukave ruripo, uye kukakavara kunomuka.
Saka murayiro haune simba, uye kururamisira vamwe hakuchaonekwi; nokuti vakashata vanokomba vakarurama; saka kururamisira vamwe kunongoonekwa kwakaminama.
Tarirai pakati pamarudzi, muone, mushamiswe kwazvo-kwazvo; nokuti ndinobata basa pamazuva enyu, ramucharamba kutenda kunyange muchizviudzwa.
Nokuti tarirai, ndinomutsa vaKaradhea, rudzi rune hasha runopenga, vanofamba panyika pose, kuti vazvitorere ugaro husati huri hwavo.
Vanotyisa nokukarudza; kutonga kwavo nokukudzwa kwavo kunobva kwavari vamene.
Mabhiza avowo anomhanya achipfuura ingwe, ane hasha kupfuura mapere amadekwana; vatasvi vavo vamabhiza vanomhanya vachiuruka, zvirokwazvo vatasvi vavo vamabiza vanouya vachibva kure, vanobhururuka segondo rinokurumidzira kudya.
Vanouya vose kuzoita simba; zviso zvavo zvakatarira mberi; vanounganidza vatapwa sejecha.
Zvirokwazvo vanodadira madzimambo, machinda anosekwa navo; vanoseka nhare dzose, nokuti vanodzitutira guruva ndokudzikunda.
Ipapo vanopfuura semhepo, ndokuenda, asi vane mhosva, ivo vanoita simba ravo mwari wavo. Muporofita anokumbirira vaJudha
Imi Jehovha, Mwari wangu, Mutsvene wangu, hamuzakavapo kubva pakutangatanga here? Isu hatingafi. Jehovha, imi makatema kuti vatonge, nemi dombomakavaisapo kuti varange,
Imi, muna meso akaisvonaka, asingadi kutarira zvakaipa, musingadi kuona zvisakarurama, munotaririreiko vanonyengera, muchinyarara kana akashata achimedza akamupfuura nokururama;
muchiita vanhu sehove dzegungwa, sezvinokambaira, zvisina mubati?
Vanovaredza vose nechiredzo chavo, vanovabata mumumbure wavo, vachivaunganidzira murutava rwavo; naizvozvo vanofara kwazvo vanomufaro.
Naizvozvo vanobayira mumbure wavo, nokupisira rutava rwavo zvinonhuwira, nokuti mugove wavo wakakora nazvo, zvokudya zvavo zvawanda.
Zvino vangadurura zviri mumumbure wavo, vakaramba vachiuraya marudzi avanhu here?
2
Ndichandomira panzvimbo yangu yokurindira, ndichazviisa panharire yangu, ndichatarira ndione zvaachataura neni, uye zvandingapindura pamusoro pokuchema kwangu.
Jehovha akandipindura, akati, Nyora zvawaratidzwa, zvionekwe kwazvo pamahwendefa, kuti zvigone kurahwa noanomhanya.
Nokuti zvakaratidzwa izvi ndezvenguva yakatarwa, zvovavarira kuguma, hazvingarevi nhema; kunyange zvikanonoka, uzvimirire, nokuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru.
Tarirai, mweya wavo una manyawi, hauna kururama mukati mavo; asi akarurama achararama nokutenda kwake.
Uyezve, zvirokwazvo, waini inonyengera, murume anozvikudza, asingagari kumba kwake, akashamisa kukara kwake seSheori, akafanana norufu; haangaguti, asi anozviunganidzira marudzi ose, unozvikokerera marudzi ose avanhu.
Ko ava vose havangaimbi rwiyo pamusoro pake, nokumudadira nechirabwe, vachiti, Ane nhamo anowanza zvisati zviri zvake! Kusvikira riniko? Uye anozviremedza nezvikwereti!
Vachakurumai havangasimuki pakarepo, vanokumanikidzai havangamuki here, imi mukapambwa navo?
Imi zvamakapamba marudzi mazhinji, vose vakasara vamarudzi avanhu vachakupambai nemhaka yeropa ravanhu, uye nemhaka yokuti makaitira nyika simba, neguta navose vageremo.
Ane nhamo unozviwanira imba yake fuma yakaipa, kuti aise dendere rake kwakakwirira, kuti arwirwe paruoko rwezvakaipa!
Makaranganira imba yenyu zvinonyadza, zvamakaparadza marudzi mazhinji avanhu, mukatadzira mweya wenyu.
Nokuti ibwe richadanidzira riri parusvingo, danda riri mudenga richapindura.
Ane nhamo anovaka musha neropa, anovamba guta nezvakaipa!
Tarirai, hazvina kubva kuna Jehovha wehondo here kuti vanhu vabatire moto, uye kuti marudzi avanhu azvinetse nokuda kwezvisina maturo?
Nokuti nyika yose ichazadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha, mvura sezvainofukidza pasi pegungwa.
Ane nhamo anopa wokwake zvinobata azvinwe, anovhenganisiramo uturu hwenyu, muchimudhakisawo, kuti muone kushama kwavo !
Mazvigutisa nezvinonyadzisa panzvimbo yezvinokudzwa; chinwai nemiwo, muve soasina kudzingiswa; mukombe worudyi rwaJehovha uchasvikira kwamuri, zvinonyadzisa zvakaipa zvichauya pamusoro pokukudzwa kwenyu.
Nokuti zvakaipa zvakaitirwa Rebhanoni zvichakufukidzai imi, uye kuparadzwa kwezvipfuwo kwakazvityisa; nemhaka yeropa ravanhu, nemhaka yezvakaipa zvakaitirwa nyika, neguta, navose vageremo.
Mufananidzo wakavezwa unobatsireiko, zvawavezwa nomuvezi wawo; kana mufananidzo wakaumbwa, iwo mudzidzisi wenhema, iye wakauumba zvaanovimba nawo, zvaakaita zvifananidzo zvisingagoni kutaura?
Ane nhamo anoti kudanda, Muka! Kana kubwe risingagoni kutaura. Simuka! Zvinhu izvi zvingadzidzisa here? Tarirai, zvakanamirwa nendarama nesirivha, asi hakuna mweya mukati mazvo napaduku.
Asi Jehovha ari mutemberi yake tsvene, nyika yose ngairambe inyerere pamberi pake.
3
Munyengetero womuporofita Habhakuki, unoimbwa neShigionoti.
Aiwa, Jehovha, ndakanzwa mashoko enyu, ndikatya; Aiwa, Jehovha,mutsai basa renyu pakati pamakore; Rizivisei pakati pamakore; Pakutsamwa kwenyu rangarirai nyasha.
Mwari anouya achibva Temani, Naiye Mutsvene achibva pagomo reParani. Sera. Umambo hwake hunofukidza denga rose, Nyika izere nokurumbidzwa kwake.
Kupenya kuripo kwakafanana nechiedza; kwezuva kunobuda paruoko rwake, Simba rake rinovandapo.
Hosha yakaipa inomutungamirira, Mazimbe omoto anobuda patsoka dzake.
Anomira achiyera nyika; Anotarira, ndokuparadza marudzi avanhu; Makomo asingaperi anopararira; Zvikomo zvisingaperi zvinokotama; Nzira dzake ndedzekare-kare.
Ndinoona matende eKushani ari panhamo; Micheka yamatende enyika yeMidhiani anodedera.
Ko Jehovha akatsamwira nzizi here? Hasha dzenyu dzakamukira nzizi here? Kutsamwa kwenyu kwakamukira gungwa here, Zvamunotasva mabhiza enyu, Muchifamba nengoro dzenyu dzoruponeso?
Uta hwenyu hwakafukurwa kwazvo; Shamhu dzakapikirwa neshoko renyu. Makaparura nyika nenzizi.
Makomo akakuonai akatya, Kudira kwemvura kwakapfuura; Pakadzika pakabudisa izwi rapo, Pakasimudzira maoko apo kumusoro.
Zuva nomwedzi zvakamira paugaro hwazvo, Zvichiona chiedza chemiseve yenyu ichipfuura, Zvichiona kupenya kwepfumo renyu rinobwinya.
Makatsika nyika makatsamwa, Makapura ndudzi mune hasha.
Makabuda kuzoponesa vanhu venyu, Kuzoponesa muzodziwa wenyu; Makakuvadza musoro weimba yowakaipa, Muchifukura nheyo kusvikira kumutsipa wayo.
Makabvoora misoro yavarwi vake namapfumo ake; Vakauya sechamupupuri kundiparadza; Kufara kwavo kwakaita sokwavanopedza varombo pakavanda.
Makatsika gungwa namabhiza enyu, Iwo murwi wemvura zhinji.
Ndakanzwa, muviri wangu ukadedera, Miromo yangu yakadedera ndichinzwa izwi; Kuora kwakapinda mumapfupa angu, ndikadedera pandakanga ndiri, Nokuti ndinofanira kumirira zuva renjodzi ndinyerere, Kana iye, anozorwa navanhu, achivawira.
Nokuti kunyange muonde ukasatunga maruva, Nemizambiringa ikashaiwa zvibereko, Kunyange kubereka kwomuorivhi kukakona, Neminda ikasabereka zvokudya; Kunyange makwai akapera muchirugu, Nemombe dzikashaikwa mumatanga,
Kunyange zvakadaro ndichafara kwazvo muna Jehovha, Ndichava nomufaro muna Mwari woruponeso rwangu.
Jehovha Ishe isimba rangu, Anoita tsoka dzangu dzive setsoka dzehadzi yenondo, Anondifambisa pamatunhu angu akakwirira. Kumutungamiriri wokuimba, nemitengeranwa yangu.
- Lizenz
-
CC-0
Link zur Lizenz
- Zitationsvorschlag für diese Edition
- TextGrid Repository (2025). Christos Christodoulopoulos. Habakkuk (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5BB-7