1

Chirevo chaMwari pamusoro peNinivhe. Bhuku yezvakaonekwa naNahumi muErikoshi.
Jehovha ndiye Mwari ane godo, anotsiva; Jehovha anotsiva, azere nehasha; Jehovha anotsiva vadzivisi vake, anochengetera vavengi vake hasha dzake.
Jehovha haakurumidzi kutsamwa, une simba guru, haangatongopembedzi ane mhosva; nzira yaJehovha iri pakati pechamupupuri nedutu, makore iguruva retsoka dzake.
Anotuka gungwa, achiriomesa, anopwisa nzizi dzose; Bhashani rinoshaiwa simba, uye Karimeri, ruva reRebhanoni rinoshaiwa simba.
Makomo anodedera pamberi pake, zvikomo zvinonyauka; nyika inosimuka pamberi pake, zvirokwazvo, iyo nyika yavose vagerepo.
Ndiani angamira pamberi pehasha dzake? Ndiani angaramba amire pakutsamwa kwake kukuru? Hasha dzake dzakadururwa somoto, matombo akaputsanyiwa naye.
Jehovha akanaka, inhare nezuva rokutambudzika; iye anoziva vanotizira kwaari.
Asi achaparadza kwazvo nzvimbo yeguta nemvura inokukura, achidzingana navavengi vake kusvikira murima.
Munorangarireiko pamusoro paJehovha? Iye achaparadza chose; nhamo haingamukizve rwechipiri.
Nokuti kunyange vakakorekana seminzwa, kana kuita savakabatwa nezvavakanwa, vachaparadzwa chose samashanga akaoma.
Mumwe akabuda pakati penyu anorangarira zvakaipa pamusoro paJehovha, anorangana zvisina maturo.
Zvanzi naJehovha, Kunyange vane simba ravo rose, vakawandawo, kunyange zvakadaro vachatemwa, iye achaparara. Kunyange ndakakutambudzai, handingazokutambudziyizve.
Zvino ndichavhuna joko rake, ribve kwamuri, ndichadamburanya zvisungo zvenyu.
Jehovha akaraira pamusoro penyu, kuti vezita renyu varege kuzodyarwazve; mumba mavamwari venyu ndichaparadza zvifananidzo zvakavezwa nezvifananidzo zvakaumbwa; ndichakuchererai hwiro; nokuti makashata kwazvo.
Tarirai pamakomo tsoka dzounouya namashoko akanaka, anoparidza rugare! Itai mitambo yenyu, imi Judha, itai zvamakapika, nokuti akaipa haangazopfuurizve napakati penyu; akaparadzwa chose.

2

Muputsanyi auya kuzorwa nemi; rindirai nhare, tarirai nzira, simbisai zviuno zvenyu, itai nesimba renyu kwazvo.
Nokuti Jehovha anodzosa kurumbidzwa kukuru kwaJakobho sokurumbidzwa kukuru kwaIsiraeri; nokuti vapambi vakavapamba, vakaparadza matavi emizambiringa yavo.
Nhovo dzemhare dzake dzakatsvukiswa, varume vakatsunga vakapfeka nguo tsvuku; (matare engoro anopenya nezuva rokuzvigadzira kwake, mapfumo ake emisipiresi anosimudzwa.)
Ngoro dzinovirima munzira dzomumusha, dzinobonderana pamapani dzakafanana namazhenje, dzinomhanya semheni.
Unorangarira vakuru vake, vanogumburwa pakufamba kwavo, vanomhanyira kurusvingo rwaro pakagadzirwa chitaviridzo.
Masuo enzizi akazarurwa, imba yamambo yakanyauka.
Shoko ratemwa, rokuti, rakafukurwa, rakatapwa, vashandiri varo vanochema namazwi akaita seenjiva, vachizvirova zvipfuva zvavo.
Asi kubva kare Ninivhe rakanga rakaita sedziva remvura; kunyange zvakadaro vanotiza. Vanodana vachiti, Mirai, mirai! Asi hakuna anocheuka.
Pambai sirivha, pambai ndarama; nokuti kuwanda kwazvo hakuperi, iyo fuma yenhumbi dzakaisvonaka.
Harina chinhu, rinoshaiwa zvose, rava dongo; mwoyo unonyauka, mabvi anobonderana, kurwadziwa kuripo pazviuno zvose, zviso zvavose zvacheneruka.
Nzimba yeshumba iripi? Panodyira shumba duku ndapapi? Ndapapi panofamba shumba nehadzi yayo nomwana weshumba, kusina anodzikarudza?
Shumba yaibvamburanya zvakaringana vana vayo, yaidzipira hadzi dzayo, yaizadza mapako ayo nezvayairuma, nenzimba dzayo nezvayaibata.
Tarirai, ndine mhaka nemi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichapisa ngoro dzaro dziite utsi, munondo uchapedza shumba dzenyu duku; ndichabvisa zvawakapamba panyika, inzwi renhume dzako haringatongonzwikizve.

3

Guta reropa rine nhamo! Rizere nenhema nokupamba; zvakapambwa hazviperimo.
Kurira kwetyava, nomubvumo wokutinhira kwamakumbo engoro, nowokutsika kwamabhiza, nengoro dzinojata,
nowavatasvi vanomhanyisa, nomunondo unopenya, nepfumo rinovaima, navazhinji vakaurawa, nomurwi mukuru wezvitunha; zvitunha hazviperi, vanogumburwa nezvitunha zvavo;
nemhaka yokufeva kuzhinji kwechifeve chakanaka pakudikanwa, iye mwene wouroyi, anotengesa marudzi avanhu nokufeva kwake, nemhuri dzavanhu nouroyi hwake.
Tarira, ndine mhaka newe ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichakufukura ndiise nguo dzako kuchiso chako; ndicharatidza marudzi ose kushama kwako, uye ushe hwose kunyara kwako.
Ndichakandira pamusoro pako tsvina inosemesa, nokukushatisa, nokukuita chinhu chinotarirwa navose.
Ipapo vose vanokuona vachakutiza, vachiti, Ninivhe raparadzwa, ndiani acharichema? Ndichakutsvakirepi vanyaradzi?
Ko iwe unopfuura No-amoni, rakanga rakavakwa pakati penzizi, rakanga rakapoteredzwa nemvura; rusvingo rwaro raiva gungwa, namadziro aro raiva gungwazve?
Itiopia neIjipiti raiva simba raro, rakanga risina mugumo; Puti neRubhimi vaiva vabatsiri vako.
Kunyange zvakadaro vakazoenda naro, rakatapwa; vana varo vaduku vakaputsanyiwa pakuvamba kwenzira dzose dzomumusha; vakakanda mijenya pamusoro pavaikudzwa pakati pavo, vakuru varo vose vakasungwa namangetani.
Newewo uchabatwa newaini, uchandovanda; newewo uchandotsvaka nhare nemhaka yomuvengi wako.
Nhare dzako dzose dzichafanana nemionde ina maonde otanga kuibva; kana ichizunzwa, anowira mumuromo woanodya.
Tarira, vanhu vako pakati pako vakaita savakadzi; masuo enyika yako azarurirwa vavengi vako kwazvo; moto wapedza zvipfigiso zvako.
Zvicherere mvura yokunwa pakukombwa kwako, simbisa nhare dzako, pinda mudope ukanye ivhu, ubate foroma.
Moto uchakupedzapo, munondo uchakuparadza, uchakupedza segwatakwata; zviitei vazhinji segwatakwata, zviitei vazhinji semhashu.
Makawanza vatengesi venyu vakapfuura nyeredzi dzokudenga; gwatakwata rinoparadza, ndokubhururuka richienda.
Machinda enyu akaita semhashu, vakuru venyu semhashu zhinji-zhinji, dzinovata pazhowa kana kune chando, asi kana zuva rabuda dzinobhururuka dzichienda, hadzichazikanwi kwadziri.
Vafudzi vako vanotsumwaira, iwe mambo weAsiria, vakakudzwa vako vanyarara, vanhu vako vakapararira pamakomo, hakuna angavaunganidza.
Kukuvadzwa kwako hakungarapwi, vanga rako rakaipa kwazvo; vose vanonzwa guhu rako vachakuitira nondo; nokuti ndianiko akanga asingatambudzwi nguva dzose nezvakashata zvako?

Rechtsinhaber*in
Multilingual Bible Corpus

Zitationsvorschlag für dieses Objekt
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Nahum (Shona). Nahum (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5BA-8