1
Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jona mwanakomana waAmitai, richiti,
Simuka, uende Ninivhe, riya guta guru, undoriparidzira, nokuti kuipa kwavo kwakwira pamberi pangu.
Asi Jona akasimuka achida kutizira Tashishi abve pamberi paJehovha; akaburukira Jopa, akawana chikepe chakanga choenda Tashishi, akabudisa mari yacho yokufamba, ndokupinda mukati macho, kuti aende navo Tashishi abve pamberi paJehovha.
Asi Jehovha akatuma mhepo inopenga pagungwa, dutu guru rikamuka pagungwa, chikepe chikashumba kuputsika.
Ipapo vafambisi vechikepe vakatya, mumwe nomumwe akadana kuna Mwari wake, vakarashira mugungwa nhumbi dzakanga dziri muchikepe, kuti vachireruse. Asi Jona akanga aburukira mukatikati mechikepe, akavata pasi, nokubatwa nehope chaidzo.
Ipapo mwene wechikepe akauya kwaari, akati kwaari, Nhai, iwe muvati, wakaita seiko? Simuka, dana kuna Mwari wako, zvimwe Mwari angatirangarira, tikasaparara.
Zvino mumwe nomumwe wakati kushamwari yake, Uyai tikande mijenya, tizive kuti njodzi iyi yatiwira nokuda kwaani. Ipapo vakakanda mijenya, mujenya ukabata Jona.
Zvino vakati kwaari, Chitiudza hako, kuti njodzi iyi yatiwira nokuda kwaani; basa rako ndereiko? Wabvepiko? Nyika yako ndeipi? Uri worudzi rupi?
Iye akati kwavari, Ndiri muHebheru, ndinotya Mwari wokudenga, akaita gungwa nenyika yakaoma.
Ipapo varume vakatya kwazvo-kwazvo, vakati kwaari, Chinyiko ichi chawaita? Nokuti varume vakanga vachiziva kuti anotiza pamberi paJehovha, nokuti akavaudza.
Zvino vakati kwaari, Tichakuiteiko, kuti gungwa ritinyararire? Nokuti gungwa rakaramba richinyanya kupenga.
Iye akati kwavari, Ndisimudzei, mundikandire mugungwa, ipapo gungwa richakunyararirai; nokuti ndinoziva kuti dutu iri guru rakakuwirai nokuda kwangu.
Kunyange zvakadaro varume vakakwasva nesimba vachiidza kudzokera kunyika; asi vakakoniwa, nokuti gungwa rakaramba richinyanya kuvapengera.
Naizvozvo vakadana kuna Jehovha, vakati, Tinokunyengeterai, imi Jehovha, tinokunyengeterai, kuti tirege kuparara nokuda kwoupenyu hwomunhu uyu, murege kutisundira mhosva yeropa risina mhaka; nokuti imi Jehovha makaita sezvamakada henyu.
Ipapo vakasimudza Jona, vakamukandira mugungwa, gungwa rikanyarara pakupenga kwaro.
Ipapo varume vakatya Jehovha kwazvo-kwazvo, vakabayira Jehovha chibayiro, nokumupikira mhiko.
Jehovha akatuma hove huru kundomedza Jona, Jona akava mudumbu rehove mazuva matatu nousiku hutatu.
2
Ipapo Jona akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake ari mudumbu rehove.
Akati, Ndakadana kuna Jehovha ndiri munhamo yangu, Akandipindura; Ndakadana ndiri mudumbu reSheori, Imi mukanzwa izwi rangu.
Nokuti makandikandira makadzika, mukati momwoyo wegungwa, Mvura zhinji yakanga yandikomberedza; Mafungu enyu namapoporodzi enyu akapfuura napamusoro pangu.
Ndikati, Ndarashwa, hamuchandioni; Asi ndicharingirazve kuTemberi yenyu tsvene.
Mvura zhinji yakandikomberedza, kusvikira kumweya wangu; Pakadzika pakanga pandipoteredza; Maharanga akanga amonera musoro wangu.
Ndakaburukira kumavambiso amakomo; Nyika nezvipfigiso zvayo zvakandipfigiramo nokusingaperi; kunyange zvakadaro makabudisa upenyu hwangu pagomba, imi, Jehovha Mwari wangu.
Mweya wangu wakati uchiziya mukati mangu, ndikarangarira Jehovha; Munyengetero wangu ukapinda kwamuri muTemberi yenyu tsvene.
Vanorangarira zvisina maturo zvenhema Vanorasha nyasha yavo.
Asi ndichakubayirai nenzwi rokuvonga; Ndicharipa zvandapika. Ruponeso runobva kuna Jehovha.
Jehovha akataura nehove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma.
3
Zvino shoko raJehovha rakasvika rwechipiri kuna Jona, richiti,
Simuka, uende Ninivhe, riya guta guru, undoriparidzira zvandichakuraira kuti uparidze.
Ipapo Jona akasimuka, akaenda Ninivhe, sezvaakarairwa neshoko raJehovha. Zvino Ninivhe raiva guta guru-guru, rwendo rwamazuva matatu kupfuura nomo.
Jona akatanga kupinda muguta, achifamba rwendo rwezuva rimwe, akadana, achiti, Kwasara mazuva makumi mana, ipapo Ninivhe richaparadzwa.
Vanhu veNinivhe vakatenda Mwari, vakatara nguva yokuzvinyima zvokudya, vakafuka masaga, kubva kuvakuru pakati pavo kusvikira kuvaduku pakati pavo.
Shoko rikasvika kuna mambo weNinivhe, akasimuka pachigaro chake choushe, akabvisa nguo yake, akafuka saga, nokugara mumadota.
Akaraira, akaparidza muNinivhe rose chirevo chamambo nechavakuru vake achiti, Vanhu kana zvipfuwo, kana mombe kana makwai, ngazvirege kutongoravira chinhu, ngazvirege kufura kana kunwa mvura;
asi vanhu nezvipfuwo ngazvifukidzwe masaga, ngavadane kuna Mwari nesimba; ngavatendeuke mumwe nomumwe panzira yake yakaipa napakuita nesimba namaoko ake.
Ndianiko angaziva, zvimwe Mwari ungadzoka akazvidemba, akadzoka pakutsamwa kwake kukuru, tikarega kuparadzwa?
Mwari akaona zvavakaita, kuti vakatendeuka panzira yavo yakaipa, Mwari akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakati ndichavaitira; akasazviita.
4
Asi zvakaodza mwoyo waJona kwazvo, akatsamwa.
Akanyengetera Jehovha, akati, Aiwa, Jehovha, handizvo zvandakataura, ndichiri munyika yangu here? Saka ndakachimbidzika kutizira Tashishi; nokuti ndakanga ndichiziva kuti muri Mwari ane nyasha, ane ngoni, asingachimbidziki kutsamwa, azere nounyoro, muchizvidemba pamakafunga kuuyisa zvakaipa.
Saka Jehovha, zvino chinditorerai henyu upenyu hwangu; nokuti zviri nani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame.
Jehovha akati, Zvakanaka here zvawatsamwa?
Ipapo Jona akabuda muguta, akandogara kurutivi rwamabvazuva rweguta, akazvivakirapo musasa, ndokugaramo mumumvuri, achiti ndigoona zvichaitirwa guta.
Jehovha Mwari ndokuraira muti womuchindwe, akaumeresa kumusoro kwaJona, kuti uve mumvuri pamusoro wake, shungu dzake dzinyaradzwe. Zvino Jona akafarira kwazvo muti womuchindwi.
Asi nezuva rakatevera Mwari akaraira gonye mangwanani, rikamunya muchindwi, ukasvava.
Zvino zuva rakati richibuda, Mwari akaraira mhepo inopisa inobva mabvazuva; zuva rikabaya musoro waJona, akaziya, akakumbira kuti afe hake, akati, Zviri nani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame.
Mwari akati kuna Jona, Zvakanaka here zvawatsamwira muchindwi? Akati, Zvakanaka kuti nditsamwe, kusvikira parufu pamene.
Jehovha akati, Iwe wakanga une tsitsi nomuti womuchindwi wausina kutamburira, kana kuumeresa, iwo, wakamera nousiku humwe, ukapararazve nousiku humwe;
ko zvino ini handizaifanira kuva netsitsi neNinivhe, riya guta guru, muna vanhu vanopfuura zviuru zvine zana namakumi maviri, vasingazivi kuti ruoko rwavo rworudyi kana ruoko rwavo rworuboshwe ndorupi, uye zvipfuwo zvizhinji here?
- License
-
CC-0
Link to license
- Citation Suggestion for this Edition
- TextGrid Repository (2025). Christos Christodoulopoulos. Jonah (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5B2-0