1

Negore rechitatu rokubata ushe kwaJehoyakimu mambo waJudha, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, akasvika Jerusaremu, akarikomba.
Ishe akaisa Jehoyakimu mambo waJudha muruoko rwake, pamwechete nedzimwe nhumbi dzeimba yaMwari, iye akaenda nadzo kunyika yeShinari, kuimba yamwari wake, akaisa nhumbi muimba yokuchengeta fuma yamwari wake.
Mambo akaudza Ashipenazi, mutariri wavaranda vake, kuti auye navamwe vana vaIsiraeri, vorudzi rwamambo norwamachinda;
majaya akanga asina mhosva, asi akanga akanaka pameso, akachenjera panjere dzose, akangwara pakuziva, nokunzwisisa uchenjeri hwose, akanga akakwana kumira mumba mamambo; uye kuti avadzidzise magwaro norurimi rwavaKaradhea.
Mambo akarayira kuti vapiwe mumwe mugove wezvokudya zvamambo zuva rimwe nerimwe, nowewaini yaainwa, uye kuti vachengetwe makore matatu, kuti kana apera vagomira pamberi pamambo.
Zvino pakati pavo pakanga pana Dhanyeri naHanania naMishaeri naAzaria, vari vana vaJudha.
Muchinda wavaranda akavatumidza mazita, Dhanyeri akamutumidza zita rinonzi Bheteshazari, naHanania rinonzi Shadhireki, naMishaeri rinonzi Misheki, naAzaria rinonzi Abhedhinego.
Asi Dhanyeri akatsunga mumwoyo make kuti haangazvinorese nezvokudya zvamambo kana newaini yaainwa; saka akakumbira kune muchinda wavaranda kuti arege kuzvinoresa.
Zvino Mwari akanzwisa Dhanyeri unyoro netsitsi pamberi pomuchinda wavaranda.
Muchinda wavaranda akati kuna Dhanyeri, Ndinotya ishe wangu mambo, akarayira zvamunofanira kudya nokunwa; nokuti achaonereiko zviso zvenyu zvakaonda kupfuura zvamajaya ezero renyu? Kana zvakadaro muchaparisa musoro wangu mhosva kuna mambo.
Ipapo Dhanyeri akati kumutariri akanga arairwa nomuchinda wavaranda kuchengeta Dhanyeri naHanania naMishaeri naAzari,
Doedzai henyu varanda venyu mazuva ane gumi; ngavatipe miriwo tidye, nemvura tinwe.
Ipapo mungacherekedza zviso zvedu nezviso zvamajaya anodya zvokudya zvamambo, mugoita navaranda venyu sezvamunoona.
Naizvozvo akatenda shoko ravo pamusoro pechinhu ichi, akavaedza mazuva ane gumi.
Mazuva ane gumi akati apera zviso zvavo zvikaonekwa kuti zvakanaka, nemiviri yavo yakakura, vachipfuura majaya ose aidya zvokudya zvamambo.
Naizvozvo mutariri wakabvisa zvokudya zvavo zvamambo, newaini yavakanzi vanwe, akavapa mirivo.
Zvino kana ari majaya awa mana, Mwari wakavapa zivo nokungwara pamagwaro ose nouchenjeri hwose; asi Dhanyeri wakanga achigona kunzwisisa zvose zvairatidzwa naMwari nezvairotwa.
Zvino mazuva akati apera akanga atarwa namambo okuti vauyiswe nawo, muchinda wavaranda akapinda navo pamberi paNebhukadhinezari.
Mambo akataurirana navo, pakati pavose kukasawanikwa vakanga vakafanana naDhanyeri naHanania naMishaeri naAzaria; saka ivo vakamira pamberi pamambo.
Pamashoko ose ouchenjeri nookunzwisisa, avaibvunzwa namambo, wakawana kuti ivo vaipfuura kagumi vachenjeri vose nenanga dzose dzaiva paushe hwake.
Dhanyeri akaramba aripo kusvikira pagore rokutanga ramambo Koreshi.

2

Negore rechipiri rokubata ushe kwaNebhukadhinezari, Nebhukadhinezari akarota hope; mweya wake ukatambudzika, hope dzake dzikatiza.
Ipapo mambo akarayira kuti vachenjeri nenanga navaroyi navaKaradhea vadanwe kuzodudzira mambo kurota kwake. Ipapo vakapinda vakamira pamberi pamambo.
Mambo akati kwavari, Ndarota hope, zvino mweya wangu unotambudzika ndichiti ndinzwisise kurota kwangu.
Ipapo vaKaradhea vakataura namambo norurimi rwavaSiria, vakati, Mambo ngaararame nokusingaperi! Udzai varanda venyu kurota kwenyu, isu tigokuzivisai kududzirwa kwazvo.
Mambo akapindura, akati kuna vaKaradhea, Shoko ratemwa neni; kana mukasandizivisa kurota kwangu nokududzirwa kwazvo, muchagurwa-gurwa, uye dzimba dzenyu dzichaitwa durunhuru.
Asi kana mukandizivisa kurota kwangu nokududzirwa kwazvo, muchapiwa neni zvipo nemibayiro nokukudzwa kukuru; naizvozvo chindizivisai kurota nokududzirwa kwazvo.
Ivo vakapindura rwechipiri, vachiti, Mambo ngaaudze varanda vake kurota kwake, isu tigokuzivisai kududzirwa kwazvo.
Mambo akapindura, akati, Ndinoziva kwazvo kuti imi munongotsvaka kuwedzerwa nguva, nokuti munoona kuti shoko iri ratemwa neni.
Asi kana mukasandizivisa kurota kwangu, mucharohwa nomurayiro mumwe chete, nokuti makazvigadzira kutaura mashoko enhema akashata pamberi pangu, kusvikira nguva yashanduka; naizvozvo chindiudzai kurota kwangu, ipapo ndichaziva kuti mungandizivisa kududzirwa kwazvo.
VaKaradhea vakapindura pamberi pamambo, vakati, Hakuna munhu pasi pose angagone kuzivisa shoko iri ramambo, nokuti hakuna mambo kana ishe, kana mubati akatongotsvaka chinhu chakadai kune wakachenjera kana nanga, kana muKaradhea upi noupi.
Chinhu chinobvunzwa namambo chikuru kwazvo, hakuna angachizivisa kuna mambo, asi vamwari vasingagari navanhu.
Nemhaka iyi mambo akatsamwa, akava nehasha kwazvo, akarayira kuti vachenjeri vose veBhabhironi vaurawe.
Naizvozvo chirevo chakatemwa kuti vachenjeri vaurawe, vakatsvakawo Dhanyeri neshamwari dzake kuti vaurawe.
Ipapo Dhanyeri akapindura Arioki nenjere nokungwara, iye mukuru wachengeti vamambo, akanga abuda kundouraya vachenjeri veBhabhironi;
akati kuna Arioki mukuru wavachengeti vamambo, Chirevo ichi chamambo chine hasha neiko? Ipapo Arioki akazivisa Dhanyeri shoko iro.
Zvino Dhanyeri akapinda kuna mambo, akakumbira kwaari, kuti amu rwa kwazvo.
Ipapo Dhanyeri akaenda kumba kwake, akandozivisa shamwari dzake Hanania naMishaeri naAzaria, shoko iro;
kuti vakumbire nyasha kuna Mwari wokudenga pamusoro pechinhu ichi chakavanzika, kuti Dhanyeri neshamwari dzake varege kuparadzwa pamwechete navamwe vachenjeri veBhabhironi.
Ipapo chinhu icho chakavanzika chakaziviswa Dhanyeri pane chaakaratidzwa usiku. Dhanyeri akatenda Mwari wokudenga.
Dhanyeri akapindura, akati, Zita raMwari ngaritendwe nokusingaperi-peri, nokuti uchenjeri nesimba ndezvake.
Ndiye anoshandura nguva nemisi; ndiye anobvisa madzimambo, nokugadza madzimambo; ndiye anopa vakachenjera uchenjeri, navane njere zivo;
ndiye anozivisa zvinhu zvakadzama nezvakavanzika; ndiye anoziva zviri murima; chiedza chinogara kwaari.
Ndinokutendai nokukurumbidzai, imi Mwari wamadzibaba angu, makandipa uchenjeri nesimba, mukandizivisa zvino zvatakakumbira kwamuri; nokuti makatizivisa shoko ramambo.
Naizvozvo Dhanyeri akapinda kuna Arioki, akanga arayirwa namambo kuparadza vachenjeri veBhabhironi; akandoti kwaari, Rega hako kuparadza vachenjeri veBhabhironi; ndiise pamberi pamambo, ndichazivisa mambo kududzirwa kwazvo.
Ipapo Arioki akaisa Dhanyeri pamberi pamambo nokukasira, akati kwaari, Ndawana munhu pakati pavana vokutapwa vaJudha, achazivisa mambo kududzirwa kwazvo.
Mambo akapindura, akati kuna Dhanyeri, ainzi Bheteshazari. Iwe unogona kundizivisa kurota kwandakaona, nokududzirwa kwazvo here?
Dhanyeri akapindura mambo, akati, Chinhu chakavanzika, chakarehwa namambo, hakuna vane njere, kana nanga, kana vachenjeri, kana vafemberi vangazivisa mambo izvozvo;
asi kudenga kuna Mwari anozivisa zvakadzama; ndiye akazivisa mambo Nebhukadhinezari zvichazovapo pamazuva okupedzisira. Kurota kwenyu, nezvamakaratidzwa mumusoro wenyu panhovo dzenyu, hezvi;
kana murimi, mambo, pfungwa dzenyu dzakauya kwamuri muri panhovo dzenyu, mukarangarira zvichazoitwa pashure; zvino anozivisa zvakadzama, ndiye akakuzivisai zvichazoitwa.
Asi kana ndirini, chinhu ichi chakavanzika hachina kundiziviswa nokuda kwenjere dzandinadzo dzinopfuura dzavamwe vapenyu vose, asi kuti mambo aziviswe kududzirwa kwazvo, uye kuti muziviswe pfungwa dziri mumwoyo wenyu.
Imi mambo makatarira, mukaona chifananidzo chikuru. Chifananidzo ichi, chaiva chikuru kwazvo, chaiva nokubwinya kwakaisvo-naka, chakanga chimire pamberi penyu; chakanga chichityisa pakuonekwa kwacho.
Kana chiri chifananidzo ichi, musoro wacho wakanga uri wendarama yakaisvo-naka, chipfuva chacho namaoko acho zvakanga zviri zvesirivha, dumbu racho nechiuno chacho zvakanga zviri zvendarira,
makumbo acho akanga ari edare, uye tsoka dzacho dzaiti pamwe dare pamwe ivhu.
Makaramba muchitarira kusvikira muchiona ibwe richivezwa, asi zvisingaitwi namaoko omunhu, rikarova chifananidzo patsoka dzacho dzaiva dzedare nevhu, rikadziputsa-putsa.
Ipapo dare nevhu nendarira nesirivha nendarama zvakaputsanyiwa pamwechete, zvikafanana nehundi iri paburiro nenguva yezhizha; zvikatorwa nemhepo, zvikasawanirwa nzvimbo; asi ibwe, rakanga rarova chifananidzo, rakazoita gomo guru, rikazadza pasi pose.
Ndizvo zvamakarota; zvino tichazvidudzira pamberi pamambo.
Imi mambo muri mambo wamadzimambo, makapiwa naMwari wokudenga ushe noumambo nesimba nokubwinya;
pose panogara vana vavanhu, wakaisa paruoko rwenyu mhuka dzesango neshiri dzokudenga, akakuitai mubati wazvo zvose; imi ndimi musoro wendarama.
Shure kwenyu umwe ushe uchamuka, uduku kwamuri; tevere ushe hwechitatu hwendarira; huchabata panyika yose.
Ushe hwechina huchava nesimba sedare, sezvinoita dare rinoputsanya nokuparadza zvose; sezvinoita dare rinopwanya izvi zvose, saizvozvo uchaputsanya nokupwanya.
Zvamakaona tsoka nezvigunwe, zvakaitwa pamwe nevhu romuumbi wehari, pamwe nedare, uchava ushe hwakaganhurwa; asi simba redare richavamo, zvamakaona dare rakavenganiswa nevhu vokuumba naro.
zvamakumbo zvazvakanga zvakaitwa pamwe nedare pamwe nevhu, saizvozvo ushe huchava pamwe nesimba, pamwe haungatani kuputsika.
Uye zvamakaona dare rakavenganiswa nevhu rokuumba naro, saizvozvo vachavengana namarudzi avanhu, asi havanganamatirani, sezvinoita dare risinganamatirani, nevhu.
Zvino namazuva amadzimambo iwayo Mwari wokudenga achamutsa ushe, usingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kuno rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo uchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.
Zvamakaona ibwe richivezwa mugomo, zvisingaitwi namaoko avanhu rikaputsa-putsa dare nendarira nevhu nesirivha nendarama, Mwari mukuru akazivisa mambo zvichazoitwa pashure; kurota uku ndokwechokwadi, nokududzirwa kwazvo ndokwechokwadi.
Ipapo mambo Nebhukadhinezari akawira pasi nechiso chake, akanamata Dhanyeri, akarayira kuti vamuvigire chipo nezvinonhuwira zvinozipa.
Mambo akapindura Dhanyeri, akati, Zvirokwazvo, Mwari wako ndiye Mwari wavamwari, naIshe wamadzimambo, nomuzivisi wezvakadzama, iwe zvawakagona kuzivisa chinhu ichi chakava-
nzika. Ipapo mambo akaita Dhanyeri mukuru, akamupa zvipo zvikuru zvizhinji, akamuita mubati wenyika yose yeBhabhironi, nokumuitawo mutariri mukuru wavakachenjera vose veBhabhironi.
Dhanyeri akakumbira kuna mambo, akagadza Shadhireki naMisheki naAbhedhinego vakava varairi vezvinhu zvose zvenyika yeBhabhironi; asi Dhanyeri akagara pasuo ramambo.

3

Zvino mambo Nebhukadhinezari akaita chifananidzo chendarama chakanga chakaita mamita makumi matanhatu pakureba, namamita matanhatu paupamhi; akachimisa pabani reDhura munyika yaBhabhironi.
Ipapo mambo Nebhukadhinezari akatuma vanhu kundokokera machinda navarayiri namadzishe navatongi navachengeti vefuma namakurukota navazivi vemirayiro navabati vose vamativi enyika, kuti vauye kumutambo wokugadzwa kwechifananidzo chakanga chamiswa naNebhukadhinezari.
Ipapo machinda navarayiri namadzishe navatongi navachengeti vefuma namakurukota navazivi vemirayiro navabati vose vamativi enyika vakaungana kumutambo wokugadzwa kwechifananidzo chakanga chamiswa naNebhukadhinezari; vakamira pamberi pechifananidzo chakanga chamiswa naNebhukadhinezari.
Zvino mudanidziri akadanidzira achiti, Munorayirwa imi vanhu, namarudzi, namarimi,
kuti nenguva yamunonzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, muwire pasi muchinamata chifananidzo chendarama chakamiswa namambo Nebhukadhinezari;
ani naani asingawiri pasi achinamata, nenguva iyo achawisirwa mukati mevira romoto unopfuta kwazvo.
Naizvozvo nenguva iyo vanhu vose vachinzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa nezvimwe zvose zvinoridzwa, vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vakawira pasi vakanamata chifananidzo chendarama chakanga chamiswa namambo Nebhukadhinezari.
Zvino nenguva iyo vamwe vaKaradhea vakaswedera vakapomera vaJudha.
Vakapindura, vakati kuna mambo Nebhukadhinezari, Imi mambo, raramai nokusingaperi.
Imi mambo makatema chirevo, chokuti munhu mumwe nomumwe kana achinge achinzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, awire pasi achinamata chifananidzo chendarama;
asi ani naani asingawiri pasi achinamata, achawisirwa mukati mevira romoto unopfuta kwazvo.
Zvino vamwe vaJudha varipo, vamakagadza vave varayiri vezvinhu zvose zvenyika yeBhabhironi, vana Shadhireki naMisheki naAbhedhinego; varume ava havana hanya nemi, imi mambo; havashumiri vamwari venyu, kana kunamata chifananidzo chendarama chamakamisa.
Ipapo Nebhukadhinezari akarayira nehasha nokutsamwa kwake kuti Shadhireki naMisheki naAbhedhinego vauyiswe. Zvino vakauyisa varume ava pamberi pamambo.
Nebhukadhinezari akapindura akati kwavari Mavune here, imi Shadhireki naMisheki naAbhedhinego, kuti munoramba kushumira mwari wangu, nokunamata chifananidzo chendarama chandakamisa ini?
Zvino kana muchitenda kuwira pasi muchina mata chifananidzo chandakaita nenguva yamunonzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, zvakanaka hazvo; asi kana musinganamati, muchawisirwa nenguva iyo mukati mevira romoto unopfuta kwazvo; mwari achakurwirai mumaoko angu ndoupiko?
Shadhireki naMisheki naAbhedhinego vakapindura, vakati kuna mambo, Imi Nebhukadhinezari, hatingafaniri hedu kukupindurai pamusoro peshoko iri.
Kana zvikaitika hazvo, Mwari wedu watinoshumira angagona kutirwira pavira romoto unopfuta kwazvo; iye achatirwira paruoko rwenyu, imi mambo.
Asi kana zvikasaitika, zivai imi mambo, kuti hatingashumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chendarama chamakamisa imi.
Ipapo Nebhukadhinezari akatsamwa kwazvo, chiso chake chikashandukira Shadhireki naMisheki naAbhedhinego; akataura akarayira kuti vira romoto riveserwe moto unopisa kwazvo kukunda unosiveserwamo kanomwe.
Akarayira vamwe varume vane simba guru vaiva pahondo yake, kuti vasunge Shadhireki naMisheki naAbhedhinego, vavawisire muvira romoto unopfuta kwazvo.
Ipapo varume avo vakasungwa vana majasi avo namabhuruku avo nengowani dzavo nedzimwe nguo dzavo, vakawisirwa mukati mevira romoto unopfuta kwazvo.
Zvino murayiro wamambo zvawakanga une hasha, uye vira zvarakanga richipisisa kwazvo, murazvo womoto wakauraya varume vakanga vachiisako Shadhireki naMisheki naAbhedhinego.
Varume ava vatatu, vana Shadhireki naMisheki naAbhedhinego, vakawira pasi vakasungwa mukati mevira romoto waipfuta kwazvo.
Ipapo mambo Nebhukadhinezari akavhunduswa, ndokukasira kusimuka, akataura, akati kumakurukota ake, Hatina kuwisira varume vatatu vakasungwa mukati momoto here? Ivo vakapindura, vakati kuna mambo, Ndizvozvo, imi mambo.
Iye akapindura, akati, Tarirai, ndinoona varume vana, vakasununguka, vachifamba mumoto, vasina pavakakuvadzwa; wechina pakuonekwa kwake akaita somwanakomana wamwari.
Ipapo Nebhukadhinezari akaswedera kumuromo wevira romoto wakanga uchipfuta kwazvo, akataura, akati, Nhai imi Shadhireki naMisheki naAbhedhinego, imi varanda vaMwari Wokumusoro-soro, budai muuye pano. Ipapo Shadhireki naMisheki naAbhedhinego vakabuda mukati memoto.
Zvino machinda navarayiri namadzishe namakurukota amambo vakaungana vakaona varume ava, kuti moto wakanga washaiwa simba pamiviri yavo, kunyange nevhudzi remisoro yavo rakanga risina kubviswa, namajasi avo akanga asina kubvuraudzwa; kunyange nomunhuwi womoto wakanga usina kusvika kwavari.
Nebhukadhinezari akataura akati, Mwari waShadhireki naMisheki naAbhedhinego ngaarumbidzwe, iye akatuma mutumwa wake, akarwira varanda vake vakanga vachivimba naye, ivo vakanga varamba shoko ramambo, vakaisa miviri yavo, kuti varege kushumira kana kunamata mwari upi noupi, asi iye Mwari wavo.
Naizvozvo ndinotema chirevo, kuti vanhu vose namarudzi ose namarimi ose, vanotaura zvisina kufanira pamusoro paMwari waShadhireki naMisheki naAbhedhinego, vatemwe-temwe, nedzimba dzavo dziitwe muturunhuru; nokuti hakuna mumwe mwari anogona kurwira saizvozvo.
Ipapo mambo akawedzera ukuru hwaShadhireki naMisheki naAbhedhinego panyika yeBhabhironi.

4

Mambo Nebhukadhinezari kuvanhu vose, namarudzi ose, namarimi ose, vagere pasi pose, Muvanzirwe rugare!
Ndakati zvakanaka kuti ndikuzivisei zviratidzo nezvishamiso, zvandakaitirwa naMwari Wokumusoro-soro.
Zviratidzo zvake zvakakura sei! Zvishamiso zvake zvine simba guru sei! Ushe hwake ushe husingaperi, kubata kwake ushe kunosvikira kumarudzi namarudzi.
Ini Nebhukadhinezari ndakanga ndigere norugare mumba mangu, ndinomufaro muimba yangu youshe.
Ndikaona kurota kwakandityisa, pfungwa dzangu panhovo dzangu, nezvandakaratidzwa mumusoro mangu zvikanditambudza.
Naizvozvo ndakatema chirevo kuti vachenjeri vose veBhabhironi vauyiswe pamberi pangu, kuti vandizivise kududzirwa kwokurota.
Ipapo vakachenjera nenanga navaKaradhea navafemberi vakuya, ndikavaudza kurota kwangu, asi havana kundizivisa kududzirwa kwazvo.
Asi pakupedzisira Dhanyeri akauya pamberi pangu, iye ane zita rinonzi Bheteshazari, akatumidzwa zita ramwari wangu, anomweya wavamwari vatsvene mukati make; ini ndikamuudza kurota kwangu, ndichiti,
Iwe Bheteshazari, mukuru wavakachenjera, zvandinoziva kuti une mweya wavamwari vatsvene uri mukati mako, uye kuti hakuna chakavanzika chinokutambudza, chindiudza zvandakaona pakurota kwangu nokududzirwa kwazvo.
Zvandakaona mumusoro mangu, ndiri panhovo dzangu, ndezvizvi: Ndakatarira, ndikaona muti pakati penyika, kureba kwawo kwakanga kuri kukuru.
Muti ukakura, ukasimba, kureba kwawo kukasvika kudenga, uye wakanga uchionekwa kusvikira kumigumo yenyika yose.
Mashizha awo akanga akanaka, nemichero yawo yakanga iri mizhinji, zvose zvaiwanapo zvokudya; mhuka dzesango dzakawana mumvuri pasi pawo, neshiri dzokudenga dzaigara mumatavi awo, uye zvipenyu zvose zvaidyapo.
Ndikaona pane zvandakaona mumusoro mangu ndiri panhovo dzangu, ndikaona mutumwa, iye ari mutsvene, achiburuka kudenga.
Akadanidzira, akati, Temai muti, dimurai matavi awo, pururai mashizha awo, paradzirai michero yawo; mhuka ngadzibve pasi pawo, neshiri pamatavi awo.
Asi siyai hunde nemidzi yawo muvhu, zvakasungwa nechisungo chedare nendarira pakati pebumhudza resango; ngaanyoroveswe nedova rokudenga, apiwe mugove wake wouswa pamwechete nemhuka dzenyika;
mwoyo wake ngaushandurwe, urege kuva womunhu, apiwe mwoyo wemhuka, nguva nomwe dzipere aripo.
Kutonga uku kwauya nechirevo chavachengeti, chinhu ichi charehwa neshoko ravatsvene, kuti vapenyu vazive kuti Wokumusoro-soro anobata ushe pakati pavanhu, anohupa waanoda, nokugadza pauri vaduku pakati pavanhu.
Ndiko kurota kwandakaona, ini mambo Nebhukadhinezari; zvino iwe Bheteshaari, chindizivisa kududzirwa kwazvo, vakachenjera vose voushe hwangu zvavasingagoni kundizivisa kududzirwa kwazvo; asi iwe unogona, nokuti mweya wavamwari vatsvene uri mukati mako.
Zvino Dhanyeri, akanga ane zita rinonzi Bheteshazari, akashayiwa shoko chinguva chiduku, pfungwa dzake dzikamuvhundusa. Mambo akapindura, akati, Bheteshazari, kurota uku nokududzirwa kwazvo ngazvirege kukuvhundusa. Bheteshazari akapindura, akati, Ishe wangu, kurota uku ngakuitirwe vanokuvengai, nokududzirwa kwazvo vadzivisi venyu.
Muti wamakaona, iwo wakakura ukasimba, wakasvika kudenga pakureba kwawo, wakanga uchionekwa kusvikira kumigumo yenyika yose;
wakanga una mashizha akanaka, nemichero yawo zviri zvizhinji, paiwana zvose zvokudya, waigara mhuka dzesango pasi pawo, uye paigara shiri dzokudenga mumatavi awo,
ndiyemi mambo; imi makakura, mukava nesimba, nokuti ukuru hwenyu hwakakura, hunosvikira kudenga, uye ushe hwenyu hunosvikira kumugumo wenyika.
Zvino mambo zvaakaona mutumwa, ari mutsvene, achiburuka kudenga achiti, Temai muti, muuparadze, asi musiye hunde yemidzi yawo muvhu, yakasungwa nechisungo chedare nendarira pakati pebumhudza resango, anyoroveswe nedova rokudenga, uye apiwe mugove wake pamwechete nemhuka dzesango, kusvikira nguva nomwe dzapera aripo;
uku ndiko kududzirwa kwazvo, imi mambo, ndicho chirevo choWokumusoro-soro, chichauya pamusoro pashe wangu mambo.
Muchadzingwa pakati pavanhu, ugaro hwenyu huchava pakati pemhuka dzesango, muchadyiswa uswa senzombe, muchanyoroveswa nedova rokudenga, uye nguva nomwe dzichapera muripo, kusvikira maziva kuti Wokumusoro-soro anobata ushe pakati pavanhu, unohupa waanoda.
Uye zvavakaraira kuti hunde yemidzi yomuti isiiwe ushe bwenyu bwuchakumutsiraizve , kana matenda kuti Wokudenga ndiye unobata ushe.
Naizvozvo imi mambo, tendai zvandinokurayirai, muparadzane nezvivi zvenyu muchiita zvakarurama, uye nezvakaipa zvenyu, muchiitira varombo nyasha; zvimwe nguva yenyu yorugare ingawedzerwa.
Izvozvi zvose zvakawira mambo Nebhukadhinezari.
Mwedzi ine gumi nemiviri yakati yapera, akanga achifamba paimba youshe muBhabhironi.
Mambo akataura, akati, Ko iri harizi Bhabhironi guta guru, randakavaka ini nesimba rangu guru, ndikurise umambo hwangu, huve hugaro hwamadzimambo, here?
Shoko iri rakanga richiri mumuromo wamambo, izwi rikabva kudenga, richiti, Iwe mambo Nebhukadhinezari, shoko rinotaurwa kwauri, rokuti, Ushe hwabva kwauri.
Uchadzingwa pakati pavanhu, ugaro hwako huchava pakati pemhuka dzesango; uchadyiswa uswa senzombe; nguva nomwe dzichapera uripo, kusvikira watenda kuti Wokumusoro-soro anobata ushe pakati pavanhu, anoupa waanoda.
Nenguva iyo chinhu ichi chakaitikapamusoro paNebhukadhinezari; wakadzingwa pakati pavanhu, akadya uswa senzombe, muviri wake ukanyoroveswa nedova rokudenga, kusvikira vhudzi rake rareba seminhenga yegondo, nenzara dzake dzafanana nedzeshiri.
Zvino mazuva iwayo akati apera, ini Nebhukadhinezari ndikatarira kudenga nameso angu, simba rangu rokufunga rikadzokerazve kwandiri, ndikatenda Wokumusoro-soro, ndikamurumbidza nokumukudza iye ari mupenyu nokusingaperi; nokuti ushe hwake hauperi, nokubata kwake ushe kunosvikira kumarudzi namarudzi;
vose vagere panyika vakaita savasina maturo; iye anoita sezvaanoda pahondo yokudenga, napakati pavagere panyika; hakuna angadzora ruoko rwake, kana angati kwaari, Unoiteiko?
Nenguva iyeyo simba rangu rokufunga rakadzokera kwandiri; uye kana iri mbiri youshe hwangu, umambo hwangu nokubwinya kwangu zvakadzokera kwandiri; makurukota angu namadzishe angu akandishanyirazve, ndikagadzwazve paushe hwangu, ukuru hwakaisvonaka hukawedzerwa.
Zvino ini ebhukadhinezari ndinorumbidza nokuombera nokukudza Mambo wokudenga; nokuti mabasa ake ose ndeechokwadi, nzira dzake dzakarurama; iye anogona kuderedza vanofamba vachizvikudza.

5

Zvino mambo Bheshazari akaitira madzishe ake ane chiuru chezana mutambo mukuru, akanwa waini pamberi paivo vane chiuru chezana.
Zvino Bheshazari, akati abatwa newaini, akarayira kuti vauye nemidziyo yendarama neyesirivha, yakanga yabviswa nababa vake Nebhukadhinezari patemberi yaiva muJerusaremu, kuti iye mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake vanwe nayo.
Ipapo vakauya nemidziyo yendarama yakanga yabviswa patemberi yeimba yaMwari yaiva muJerusaremu; iye mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake vakanwa nayo.
Vakanwa waini, vakarumbidza vamwari vendarama nesirivha nendarira nedare namatanda namabwe.
Zvino nenguva iyeyo minwe yoruoko rwomunhu yakauya ikanyora pakatarisana nechigadziko chomwenje pasuko remadziro eimba yamambo, mambo akaona chanza choruoko rwakanga ruchinyora.
Ipapo chiso chamambo chakashanduka maari, pfungwa dzake dzikatambudzwa, zvipfundo zvechiuno chake zvikasununguka, mabvi ake akarovana.
Mambo akadanidzira achiti vauye nen anga navaKaradhea navafemberi. Mambo akataura akati kuna vakachenjera veBhabhironi, Ani naani angarava izvi zvakanyorwa, akandizivisa kududzirwa kwazvo, achafukidzwa nguo tsvuku, nokushongedzwa ngetani yendarama pamutsipa wake, uye achava mubati wechitatu paushe hwangu.
Ipapo vakachenjera vose vamambo vakapinda, asi vakanga vasingagoni kurava zvakanyorwa, kana kuzivisa mambo kududzirwa kwazvo.
Zvino mambo Bheshazari akatambudzika kwazvo, chiso chake chikashanduka maari, namadzishe ake akakanganiswa.
Ipapo vahosi vakapinda muimba yomutambo, nokuda kwamashoko amambo naamadzishe ake; vahosi vakataura, vakati, Imi mambo, raramai nokusingaperi, pfungwa dzenyu ngadzirege kukutambudzai, chiso chenyu ngachirege kushanduka.
Muushe hwenyu muno murume, ane mweya wavamwari vatsvene mukati make; pamazuva ababa venyu chiedza nezivo nenjere, zvakafanana nenjere dzavamwari, zvakawanikwa maari; mambo Nebhukadhinezari, baba venyu, ivo mambo, baba venyu, vakamuita mukuru wavachenjeri nenanga navaKaradhea navafemberi;
nokuti kuna Dhanyeri, akatumidzwa Bheteshazari namambo, kwakawanikwa mweya wakanaka kwazvo, nezivo, nokunzwisisa, nokududzira kurota, nokubudisa mashoko akavanzika, nokusunungura pfundo. Zvino Dhanyeri ngaadanwe, iye achakuzivisai kududzirwa kwazvo.
Ipapo Dhanyeri akauyiswa pamberi pamambo. Mambo akataura, akati kuna Dhanyeri, Ndiwe uya Dhanyeri, wavana vaJudha vakatapwa, wakandotapwa kuvaJudha nababa vangu here?
Ndakanzwa zvako, kuti mweya wavamwari uri mukati mako, uye kuti chiedza nezivo nenjere kwadzo zvinowanikwa mauri.
Zvino vakachenjera, idzo nanga vakauyiswa pamberi pangu, kuti varave zvakanyorwa izvi, vandizivise kududzirwa kwazvo; asi vakakoniwa kundizivisa kududzirwa kwechinhu ichi.
Asi ndakanzwa, kuti iwe unogona kududzira, nokusunungura pfundo; zvino kana ukagona kurava zvakanyorwa, nokundizivisa kududzirwa kwazvo, uchafukidzwa nguo tsvuku, nokushongedzwa vungetani hwendarama pamutsipa wako, uye uchava mubati wechitatu paushe hwangu.
Ipapo Dhanyeri akapindura akati pamberi pamambo, Garai henyu nezvipo zvenyu, ipai henyu mumwe mibairo yenyu; kunyange zvakadaro ndicharavira mambo zvakanyorwa, nokumuzivisa kududzirwa kwazvo.
Imi mambo, Mwari Wokumusoro-soro akapa baba venyu Nebhukadhinezari ushe noukuru, nembiri noumambo;
zvino nokuda kwoukuru, hwaakamupa, vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vakadedera nokutya pamberi pake; aiuraya waaida kuuraya, airaramisa waaida kuraramisa, aikwiridza waaida kukwiridza, nokuderedza waaida kuderedza.
Asi mwoyo wake wakati uchizvikudza, nomweya wake uchizviomesa, kusvikira achiita manyawi, akabviswa pachigaro chake choushe, vakamutorera kubwinya kwake;
akadzingwa pakati pavanakomana vavanhu, mwoyo wake ukaitwa sowemhuka, akandogara nembizi, akadyiswa uswa senzombe, muviri wake ukanyoroveswa nedova rokudenga, kusvikira aziva kuti Mwari Wokumusoro-soro anobata ushe pakati pavanhu, achiupa waanoda.
Asi imi Bheshazari mwanakomana wake, hamuna kuzvininipisa nomwoyo wenyu, kunyange makanga muchizviziva zvose,
asi makazvikudza pamberi paIshe wokudenga; midziyo yeimba yake yakauyiswa pamberi penyu, imi namadzishe enyu navakadzi venyu navarongo venyu mukanwa waini nayo; mukarumbidza vamwari vesirivha nendarama nedare namatanda namabwe, vasingaoni kana kunzwa kana kuziva; asi iye Mwari, akabata mweya wenyu muruoko rwake, anoziva nzira dzenyu dzose, hamuna kumukudza iye.
Naizvozvo chanza choruoko chakatumwa chichibva kwaari, zvakanyorwa izvi zvikanyorwa.
Zvino zvakanyorwa ndezvizvi: MENE, MENE, TEKERE, UFARISINI.
Kududzirwa kwechinhu ichi, ndikoku: MENE, Mwari akaverenga mazuva oushe hwenyu, akaugumisa.
TEKERE, iwe wayerwa pachiyero, ukawanikwa wakareruka.
PERESI, ushe hwako hwakamurwa, hwapiwa Medhia navaPeresia.
Ipapo Bheshazari akarayira, vakafukidza Dhanyeri nguo tsvuku vakamushongedza ngetani hwendarama pamutsipa wake, akaparidza pamusoro pake kuti ave mubati wechitatu paushe hwake.
Nousiku uhwo mambo Bheshazari muKaradhea akaurawa.
Dhariusi muMedhia akapiwa ushe, ana makore anenge makumi matanhatu namaviri.

6

Zvino Dhariusi akaona kuti zvakanaka kugadza machinda ane zana namakumi maviri paushe hwake, vaifanira kuva paushe hwose;
pamusoro pavo akagadza vakuru vatatu, Dhanyeri ari mumwe wavo; kuti machinda awa auye namashoko ose kwavari, uye kuti mambo arege kutadzirwa.
Zvino Dhanyeri uyu akapfuura vamwe vakuru namachinda, nokuti maari makanga muno mweya wakanaka kwazvo; mambo akada kumuita mukuru woushe hwake hwose.
Ipapo vakuru namachinda vakatsvaka mhosva yavangapomere Dhanyeri pamusoro poushe, asi vakashayiwa shoko kana mhosva, nokuti akanga akatendeka, uye kwakanga kusina kutadza kana mhosva kwaari.
Zvino varume ava vakati, Hatingatongowani shoko pamusoro paDhanyeri uyu, kana tisingamutsvakiri iro pamusoro pomurayiro waMwari wake.
Ipapo vakuru ava namachinda vakaunganira kuna mambo vari vazhinji, vakati kwaari, Mambo Dhariusi, raramai nokusingaperi.
Vakuru vose voushe, navarayiri namachinda namakurukota namadzishe vakarangana kuti mambo aite murayiro nokutema chirevo chakasimba, kuti ani naani anokumbira chinhu kuna mwari upi noupi kana munhu upi noupi namazuva ana makumi matatu, asi kwamuri, imi mambo, awisirwe mugomba reshumba.
Zvino chitemai chirevo, imi mambo, muise zita renyu parunyoro, kuti chirege kuzoshandurwa, nomurayiro wavaMedhia navaPeresia usingashandurwi.
Naizvozvo mambo Dhariusi akaisa zita rake parunyoro nechirevo.
Zvino Dhanyeri akati anzwa kuti runyoro rwaiswa zita ramambo, akapinda mumba make zvino mahwindo ekamuri yake akanga akazarurwa achitarira kurutivi rweJerusaremu; akapfugama namabvi ake katatu pazuva, akanyengetera nokurumbidza Mwari wake, sezvaaisiita.
Ipapo varume avo vakaungana vari vazhinji, vakawana Dhanyeri achikumbira nokunyengetera Mwari wake.
Ipapo vakaswedera, vakataura pamberi pamambo pamusoro pechirevo chamambo, vachiti, Hamuna kuisa zita renyu pachirevo, kuti ani naani anokumbira chinhu kuna mwari upi noupi kana munhu upi noupi namazuva ana makumi matatu, asi kwamuri, imi mambo, awisirwe mugomba reshumba here? Mambo akataura, akati, Ishoko rechokwadi, nomurayiro wavaMedhia navaPeresia, usingashandurwi.
Zvino vakapindura, vakati pamberi pamambo, Uya Dhanyeri wavana vaJudha vakatapwa, haana hanya nemi, imi mambo, kana nechirevo chamakaisa zita renyu, asi unokumbira katatu pazuva.
Zvino mambo akati achinzwa mashoko iwayo, akatsamwa kwazvo, akafunga mano pamwoyo pake okurwira Dhanyeri akatambudzika kusvikira zuva richivira achiedza kumurwira.
Ipapo varume ava vakaunganira kuna mambo vari vazhinji, vakati kuna mambo, Zivai imi mambo, kuti ndiwo murayiro wavaMedhia navaPeresia, kuti chirevo chipi nechipi kana murau upi noupi wakatemwa namambo, hazvingashandurwi.
Ipapo mambo akarayira, vakauya naDhanyeri vakamuwisira mugomba reshumba. Mambo akataura, akati kuna Dhanyeri, Mwari wako waunosishumira nguva dzose, achakurwira.
Ibwe rakauyiswa, rikaiswa pamuromo wegomba, mambo akarisimbisa nechidhindo chake uye nechidhindo chamadzishe ake; kuti kurege kuva nechinhu chimwe pamusoro paDhanyeri chingashandurwa.
Ipapo mambo akaenda kuimba yake youshe, akavata achizvinyima zvokudya; kunyange nezvinoridzwa zvipi nezvipi hazvina kuuyiswa pamberi pake; hope dzake dzikatiza.
Zvino mambo akafumomuka kwazvo mangwanani, akakasira kuenda kugomba reshumba.
Akati achiswedera kugomba kuna Dhanyeri, akadana nezwi rokuchema; mambo akataura, akati kuna Dhanyeri, Nhai Dhanyeri, iwe muranda waMwari mupenyu, Mwari wako waunosishumira nguva dzose, ane simba rokukurwira pashumba here?
Ipapo Dhanyeri akati kuna mambo, Imi mambo, raramai nokusingaperi.
Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba, dzikasandikuvadza; nokuti pamberi pake ndakawanikwa kuti handina mhosva, napamberi penyuwo, imi mambo, hakune chakaipa chandakaita.
Ipapo mambo akafara zvikuru kwazvo, akarayira kuti vabudise Dhanyeri mugomba. Naizvozvo Dhanyeri akabudiswa mugomba, vakashayiwa chose paakakuvadzwa, nokuti wakanga avimba naMwari wake.
Ipapo mambo akarayira, vakauya navaya vanhu vakanga vapomera Dhanyeri, vakavawisira mugomba reshumba, ivo, navana vavo, navakadzi vavo; shumba dzikavakunda, dzikavhuna-vhuna mapfupa avo, vachigere kusvika pasi mugomba.
Ipapo Dhariusi akanyorera vanhu vose, namarudzi ose, namarimi ose, vagere munyika yose, akati, Rugare ngaruwanzwe kwamuri.
Ndinotema chirevo, kuti munyika yose youshe hwangu vanhu vose vadedere vatye pamberi paMwari waDhanyeri; nokuti ndiye Mwari mupenyu, aripo nokusingaperi, ushe hwake haungaparadzwi; kubata kwake ushe kuchavapo kusvikira pakuguma.
Ndiye anorwira nokusunungura, ndiye anoita zviratidzo nezvishamiso kudenga napanyika, ndiye akarwira Dhanyeri pasimba reshumba.
Saizvozvo Dhanyeri uyu akagara zvakanaka pakubata ushe kwaDhariusi napakubata ushe kwaKoreshi muPeresia.

7

Negore rokutanga raBheshazari mambo weBhabhironi Dhanyeri akarota, akaratidzwa zvimwe mumusoro make ari panhovo dzake, akanyora zvaakarota, akaudza vanhu mashoko makuru azvo.
Dhanyeri akataura, akati, Ndakaona pane zvandakaratidzwa usiku, tarirai, mhepo ina dzokudenga dzakamutsa gungwa guru.
Mhuka huru ina dzikakwira dzichibuda mugungwa, dzisina kufanana.
Yokutanga yakanga yakafanana neshumba, ina mapapiro egondo; ndikaramba ndakatarira kusvikira mapapiro ayo ataurwa, ikasimudzwa ichibva panyika, ikamiswa namakumbo maviri somunhu, ikapiwa mwoyo womunhu.
Ndikaonazve imwe mhuka, yechipiri, yakafanana nebere; iyo yakanga yakasimudza rumwe rutivi rwayo, uye mumuromo mayo yakanga yakaruma mbabvu nhatu pakati pameno ayo; vakati kwariri, Simuka, upedze nyama zhinji.
Shure kwaizvozvo ndakatarira, ndikaona imwezve, yakafanana nengwe, yakanga ina mapapiro mana pamusana wayo akafanana neeshiri; mhuka iyi yakanga ine misoro minawo; ikapiwa simba.
Shure kwaizvozvo ndakaona pane zvandakaratidzwa usiku, ndikaona mhuka yechina, yaityisa nokuvhundusa, ine simba guru kwazvo; yakanga ina meno makuru outare; ikapedza, nokuvhuna-vhuna, nokupwanya zvakanga zvasara netsoka dzayo; iyi yakanga yakasiyana nemhuka dzose dzakaitangira; yakanga ine nyanga gumi.
Ndikacherechedza nyanga, ndikaona rumwe runyanga ruchibuda pakati pedzimwe, ruri ruduku, dzimwe nyanga nhatu pane dzokutanga dzikadzurwa nemidzi yadzo pamberi parwo; ndikaona kuti parunyanga urwo pakanga pana meso omunhu, nomuromo wakanga uchitaura zvinhu zvikuru.
Ndikaramba ndakatarira kusvikira zvigaro zvoushe zvagadzwapo, mumwe akakwegura pamazuva ake akagarapo; nguo yake yakanga yakachena sechando, uye vhudzi romusoro wake rakanga rakaita samakushe akanatswa; chigaro chake choushe chakanga chiri mirazvo yomoto, makumbo acho uri moto unopfuta.
Rwizi rwomoto rwakanga rwuchibuda ruchibva pamberi pake; zviuru nezviuru zvakanga zvichimubatira, uye pamberi pake pakanga pamire zviuru zvine gumi zvezviuru zvine gumi; kutonga kukatanga, bhuku rikazarurwa.
Ndikaramba ndakatarira nenguva iyo nemhaka yokudana kwamashoko makuru akanga achitaurwa norunyanga; ndikaramba ndakatarira kusvikira mhuka yaurawa, muviri wayo uchiparadzwa, uchiiswa mumoto kuti upiswe.
Kana dziri dzimwe mhuka, dzakatorerwa ushe hwadzo, asi upenyu hwadzo hwakawedzerwa kusvikira nhambo nenguva zvakatenderwa.
Ndikaona pane zvandakaratidzwa usiku, ndikaona mumwe akafanana noMwanakomana womunhu achiuya namakore okudenga, akasvika kune akakwegura pamazuva ake, vakamuswededza pamberi pake.
Akapiwa simba, nokubwinya, noushe, kuti vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vamushumire; simba rake roushe isimba risingaperi, risingazopfuuri, uye ushe hwake haungazoparadzwi.
Kana ndirini Dhanyeri, mweya wangu wakatambudzika mukati momuviri wangu, uye zvandakaona mumusoro mangu zvakandivhundusa.
Ndikaswedera kune mumwe akanga amirepo, ndikamubvunza kududzirwa kwechokwadi kwezvinhu izvi zvose. Akandiudza, akandizivisa kududzirwa kwezvinhu izvozvi.
Mhuka idzi huru, idzo ina, ndiwo madzimambo mana achamuka panyika.
Asi vatsvene voWokumusoro-soro vachapiwa ushe, ushe uchava hwavo nokusingaperi-peri.
Ipapo ndakada kuziva kududzirwa kwachokwadi kwemhuka yechina, yakanga yakasiyana nedzimwe dzose, yakanga ichityisa zvikuru, yakanga ina meso outare, nzara dzayo dziri dzendariraiyo yakanga yapedzanokuputsanya , nokupwanya zvakasara netsoka dzayo;
uye pamusoro penyanga dzine gumi dzakanga dziri pamusoro wayo, norumwe runyanga rwakazobuda, dzimwe nyanga nhatu dzikaparadzwa pamberi parwo, irwo runyanga rwakanga runa meso nomuromo wakanga uchitaura zvikuru, rwakanga rwakapfuura dzimwe shamwari dzarwo paukuru.
Ndakatarira, ndikaona runyanga urwu ruchirwa navatsvene, nokuvakunda;
kusvikira akakwegura pamazuva ake achisvika, vatsvene voWokumusoro-soro vakaruramisirwa, nguva ikasvika yokuti vatsvene vapiwe ushe.
Akati, Mhuka yechina uchava ushe hwechina panyika, uchasiyana noumwe ushe hwose, uchapedza nyika yose, nokuupwanya nokuuputsanya.
Kana dziri nyanga dzine gumi, paushe uhwu pachamuka madzimambo ane gumi, asi mumwezve achamuka shure kwavo; iye achasiyana navamwe vokutanga, achakunda madzimambo matatu.
Achataura mashoko okumhura Wokumusoro-soro, achaparadza vatsvene, uye achatsvaka mano okushandura nguva nemirayiro; ivo vatsvene vachaiswa mumaoko ake kusvikira nguva imwe nedzimwe nguva, nehafu yenguva.
Asi kutonga kuchatanga, vachabvisa simba rake, kuti varipedze nokuriparadza kusvikira pakuguma.
Ipapo ushe nesimba noukuru hwoushe hwose pasi pedenga rose, zvichapiwa vatsvene voWokumusoro-soro; ushe hwake ndohwokusingaperi, masimba ose achamushumira nokumuteerera.
Ndiko kuguma kweshoko. Kana ndirini Dhanyeri, pfungwa dzangu dzakandivhundusa kwazvo, chiso changu chikashandurwa mukati mangu; asi ndakachengeta shoko iri mumwoyo mangu.

8

Negore rechitatu rokubata ushe kwamambo Bheshazari, ini Dhanyeri ndakaratidzwa chiratidzo, shure kwechiya chandakaratidzwa pakutanga.
Ndikaona pane zvandakaratidzwa; zvino ndakati ndichitarira, ndakanga ndiri paShushani, paimba yamambo, iri panyika yeErami; ndikaona pane zvandakaratidzwa, ndiri parwizi Urai.
Ndikarinzira meso angu, ndikatarira, ndikaona gondohwe rimire pamberi porwizi, rine nyanga mbiri; nyanga dzakanga dzakareba, asi rumwe rwakanga rwakapfuura rumwe nokureba; rwakanga rwakareba ndirwo rwakabuda shure.
Ndikaona gondohwe richitunga kumativi amavirazuva, nokumusoro, nezasi, hakuna zvipfuwo zvaigona kuramba zvimire pamberi paro, uye kwakanga kusina aigona kurwira pasimba raro; asi rakaita parakada napo, rikazvikudza.
Zvino ndakati ndichafunga izvozvo, ndikaona nhongo ichibva kumavirazuva ichifamba panyika pose, asi isingatsiki pasi; zvino nhongo yakanga ino runyanga rukuru pakati pameso ayo.
Ikasvika pagondohwe, raiva nenyanga mbiri, randakaona rimire pamberi porwizi, ikamhanyira kwariri nehasha dzesimba rayo.
Ndikaona ichiswedera pedo negondohwe, hasha dzayo dzikarimutsirwa, ikatunga gondohwe, ikavhuna nyanga dzaro mbiri; gondohwe rakanga risina simba kumira pamberi payo; asi yakariwisira pasi, pamusoro paro, hakuna akagona kurwira gondohwe pasimba rayo.
Nhongo ikazvikudza zvikuru kwazvo ; zvino yakati yasimba, runyanga rukuru ndokuvhunika, nyanga huru ina dzikabuda panzvimbo yarwo, dzakatarira kumhepo ina dzokudenga.
Zvino kuno rumwe rwadzo kwakabuda runyanga ruduku, rwakazokura kwazvo, kumativi ezasi, nokumavirazuva, nokunyika yakaisvonaka.
Rukakura kusvikira iko kuhondo dzokudenga, rukawisira pasi dzimwe hondo nenyeredzi, ndokutsika pamusoro pazvo.
Rukazvikudza kusvikira kumuchinda wehondo; rukamutorera chipiriso chinopiswa nguva dzose, nzvimbo yeimba yake tsvene ikaputswa.
Hondo ikamutswa kuzorwa nechipiriso chinopiswa nguva dzose nokuda kwokudarika; rukawisira pasi chokwadi, rukafara pane zvose zvarwakaita.
Ipapo ndakanzwa mutsvenezve akati kuna iye akanga achitaura, Ko izvo zvakaratidzwa zvichasvika rini, izvo zvechipiriso chinopiswa nokusingaperi nokudarika kunoparadza, kuti nzvimbo tsvene nehondo zviregwe zvichitsikwa netsoka?
Akati kwandiri, Kusvikira madekwana namangwanani ane zviuru zviviri namazana matatu; ipapo nzvimbo tsvene ichanatswa.
Zvino ini, iyeni Dhanyeri, ndakati ndaona zvandaratidzwa, ndikatsvaka kuzvinzwisisa, ndikaona mumwe akanga akanditarisa amire pamberi pangu.
Ndikanzwa izwi romunhu richibva pakati pemhenderekedzo dzaUrai, richidana richiti, Gabhurieri, dudzira munhu uyu zvaakaratidzwa.
Ipapo akaswedera kwandakanga ndimire; zvino akati achisvika, ndikatya, ndokuwira pasi nechiso changu; asi akati kwandiri, Chinzwisisa, iwe Mwanakomana womunhu, nokuti zvawakaratidzwa ndezvenguva yokupedzisira.
Zvino akati achitaura neni, ndikabatwa nehope kwazvo ndivete nechiso changu pasi; asi akandibata, akandimisa.
Akati, Tarira, ndichakuzivisa zvichavapo panguva yokupedzisira yokutsamwa kwaJehovha, nokuti ndezvenguva yakatarwa yokupedzisira.
Gondohwe rawakaona, rakanga rine nyanga mbiri, ndiwo madzimambo avaMedhia navaPeresia.
Uye nhongo ine mvere ndiye mambo weGirisi; runyanga rukuru ruri pakati pameso ayo ndiye mambo wokutanga.
Kana ruri runyanga rwakavhunika, dzimwe ina dzakabuda panzvimbo yarwo, ushe huna huchabuda parudzi urwo, asi haungavi nesimba rarwo.
Zvino panguva yokupedzisira youshe hwavo, kana vadariki vazadza chiyero chavo, mambo une chiso chine hasha, anoziva kuita namano akaipa, achamuka.
Simba rake richava guru, asi hazvingaitwi nesimba rake chairo; achaparadza zvinoshamisa, asi achafara pane zvose zvaanoita; achaparadza vane simba navanhu vatsvene.
Zvino nokungwara kwake achafambisa nhema noruoko rwake; achazvikudza mumwoyo make, nokuparadza vazhinji vakafara havo. Achamukirawo muchinda wavachinda, asi uchaputswa zvisingaitwi noruoko rwomunhu.
Zvawakaratidzwa zvamadekwana nezvamangwanani, zvawakaudzwa, ndezvazvokwadi; asi iwe vanza zvawaona, nokuti ndezvamazuva mazhinji anozouya.
Ini Dhanyeri ndikapera simba, ndikarwara mazuva; ipapo ndikamuka, ndikabata mabasa amambo, ndikashamiswa nezvandakaratidzwa, asi kwakanga kusina munhu waizvinzwisisa.

9

Zvino negore rokutanga raDhariusi mwanakomana waAhasuerosi, worudzi rwavaMedhia, akanga aitwa mambo woushe hwavaKaradhea.
Negore rokutanga rokubata kwake ushe, ini Dhanyeri ndakanzwisisa mumabhuku kuti makore mangani akanga audzwa muporofita Jeremiya neshoko raJehovha kusvikira pakupera kwokuparadzwa kweJerusaremu, kuti aiva makore makumi manomwe.
Ndikarinzira chiso changu kuna Ishe Mwari, ndikamutsvaka nokunyengetera nokukumbira, nokuzvinyima zvokudya, ndakapfeka masaga ndikazvidira madota.
Ndikanyengetera kuna Jehovha Mwari wangu, ndikareurura zvivi, ndikati, Aiwa, Ishe, Mwari mukuru anotyisa, anosimbisa sungano yake nenyasha dzake kuna vanomuda, vanochengeta mirayiro yake,
takatadza, takaita zvisakarurama nezvakashata, takakumukirai, tikatsauka pazvirevo zvenyu nezvamakarayira;
hatina kuteererawo varanda venyu vaporofita, vakataura nezita renyu kuna madzimambo edu, namachinda edu, namadzibaba edu nokuvanhu vose venyika.
Aiwa, Ishe, kururama kuri kwamuri, asi kwatiri isu kunyara kwezviso zvedu, sapazuva ranhasi; kuvanhu vaJudha, nokuna vagere Jerusaremu, nokuvaIsiraeri vose, vari pedo navari kure, panyika dzose kwamakavadzingira, nemhaka yokudarika kwavakakudarikirai imi.
Aiwa, Ishe, kunyara kwezviso kuri kwatiri isu, kumadzimambo edu, namachinda edu, namadzibaba edu, nokuti takakutadzirai.
Kuna Ishe Mwari wedu ndiko kune nyasha nokukanganwira, nokuti takamumukira;
uye hatina kuteerera izwi raJehovha Mwari wedu, kuti tifambe nemirayiro yake yaakaisa pamberi pedu navaranda vake vaporofita.
Zvirokwazvo vaIsiraeri vose vakadarika murayiro wenyu, vachitsauka, kuti varege kuteerera izwi renyu; nemhaka iyo kutuka kwenyu kwakadururirwa pamusoro pedu, nokupika kwakanyorwa mumurayiro waMosesi muranda waMwari; nokuti takamutadzira.
Akasimbisa mashoko ake aakatitaurira isu navatongi vedu vaititonga, achiuyisa pamusoro pedu chinhu chikuru chakaipa; nokuti pasi pedenga rose hakuna kumboitwa chinhu chakadai chakaitirwa Jerusaremu.
Sezvazvakanyorwa pamurayiro waMosesi, zvakaipa izvi zvose zvakatiwira; kunyange zvakadaro hatina kukumbira tsitsi kuna Jehovha Mwari wedu, kuti titsauke pazvakaipa zvedu nokungwarira chokwadi chenyu.
Naizvozvo Jehovha akarindira zvakaipa, akazviuyisa pamusoro pedu; nokuti Jehovha Mwari wedu akarurama pamabasa ake ose aanoita, asi isu hatina kuteerera izwi rake.
Zvino imi Ishe Mwari wedu, makabudisa vanhu venyu panyika yeIjipiti noruoko rune simba, mukazviwanira mukurumbira, kusvikira pazuva ranhasi; takatadza, takaita zvakashata.
Aiwa Ishe, nokuda kwokururama kwenyu kwose, ndinokunyengeterai kuti kutsamwa kwenyu nehasha dzenyu zvidzorwe paguta renyu reJerusaremu, iro gomo renyu dzvene; nemhaka yezvivi zvedu, uye nemhaka yezvakaipa zvamadzibaba edu, Jerusaremu navanhu venyu vakaitwa chinhu chinoshoorwa pakati pavose vanotipoteredza.
Naizvozvo zvino, imi Mwari wedu, inzwai kunyengetera kwomuranda wenyu, nezvaanokumbira, muvhenekera nechiso chenyu panzvimbo yenyu tsvene, yava dongo, nokuda kwaIshe.
Aiwa, Mwari wangu, rerekerai nzeve yenyu, munzwe; svinudzai meso enyu, muone kuparadzwa kwedu, neguta rakatumidzwa zita renyu; nokuti hatisvitsi mikumbiro yedu pamberi penyu nokuda kwezvakarurama zvedu, asi nokuda kwenyasha dzenyu huru.
Aiwa, Ishe, inzwai; Ishe, kanganwirai; Ishe, teererai, muite; zvatinokumbira regai kunonoka, nokuda kwenyu, imi Mwari wangu, nokuda kweguta renyu navanhu venyu vakatumidzwa zita renyu. Gabhurieri anodudzira zvevhiki dzina makumi manomwe
Zvino ndakati ndichitaura nokunyengetera nokuzvireurura zvivi zvangu nezvivi zvavanhu vangu vaIsiraeri, nokuisa kukumbira kwangu pamberi paJehovha Mwari wangu pamusoro pegomo dzvene raMwari wangu;
ndakati ndichitaura pakunyengetera, uya murume Gabhurieri, wandakanga ndaona pane zvandakaratidzwa pakutanga, ndaneta kwazvo, akasvika kwandiri nenguva inenge yechipo chamadekwana.
Akandidudzira, akataura neni, akati, Dhanyeri, ndauya zvino kukuvigira njere nokunzwisisa.
Chirevo chakatemwa, uchangotanga kukumbira, zvino ndauya kuzokuudza, nokuti uri murume anodikanwa kwazvo; naizvozvo funga shoko iri, unzwisise zvawakaratidzwa.
Vhiki dzinamakumi manomwe dzakatemerwa vanhu vako neguta rako dzvene, kupedzisa kudarika nokugumisa zvivi, nokuyananisira zvakaipa, nokuuyisa kururama kusingaperi, nokusimbisa zvakaratidzwa nouporofita, nokuzodza nzvimbo tsvene-tsvene.
Naizvozvo chiziva unzwisise, kuti kubva pakutemwa kwomurayiro wokuvandudza nokuvaka Jerusaremu kusvikira kune wakazodzwa, iye muchinda, zvichaita vhiki nomwe; uye vhiki dzina makumi matanhatu nembiri dzichavapo dzokuvakwa kwaro, rine misika nemigwagwa, asi zvichaitwa nenguva yokutambudzika.
Zvino kana vhiki idzo dzina makumi matanhatu nembiri dzapera, akazodzwa achabviswa, akasara asina chinhu; vanhu vomuchinda, anozouya, vachaparadza guta nenzvimbo tsvene; asi kuguma kwazvo kuchauya nokukukurwa, kurwa kuchavapo nokuparadzwa kwakatemwa, kusvikira pakuguma.
Zvino iye achaita sungano yakasimba navazhinji vhiki imwe; pakati pevhiki achagumisa chibayiro nechipo, zvino muparadzi achasvika nebapiro rezvinonyangadza; kusvikira pakuguma kwazvo kwakagara kwakatarwa, kutsamwa kuchadururirwa pamusoro pezvakaparadzwa.

10

Negore rechitatu raKoreshi mambo wePeresia, chimwe chinhu chakaratidzwa Dhanyeri, ainzi Bheteshazari; chinhu icho chakanga chiri chechokwadi, chiri chokurwa kukuru; akanzwisisa chinhu icho, nokuziva kududzirwa kwezvaakaratidzwa.
Namazuva iwayo ini Dhanyeri ndakanga ndichichema vhiki nhatu dzose.
Ndakanga ndisingadyi zvokudya zvinozipa, kunyange nenyama newaini hazvina kupinda mumuromo mangu, uye handina kutongozora mafuta kusvikira vhiki nhatu dzose dzapera.
Zvino nezuva ramakumi maviri namana romwedzi wokutanga, ndakati ndiri pamhenderekedzo yorwizi rukuru, irwo Hidhekeri,
ndikarinzira meso angu, ndikatarira, ndikaona murume akapfeka hanzu dzerineni, akasunga chiuno chake nendarama yakaisvonaka yeUfazi;
muviri wake wakanga wakaita sebheriri, chiso chake chakapenya semheni, meso ake akapfuta samazhenje, maoko ake netsoka dzake zvakanga zvakafanana nendarira yakakweshwa, uye kutinhira kwamashoko ake kwakaita sokutinhira kwavazhinji.
Zvino ini Dhanyeri ndakaona izvo zvakaratidzwa ini ndoga; nokuti varume vakanga vaneni havana kuona zvakaratidzwa; asi vakabatwa nokudedera kukuru, vakatiza kundovanda.
Ini ndikasiyiwa ndiri ndoga, ndikaona chinhu ichi chikuru chandakaratidzwa, ndikapererwa nesimba; nokuti kunaka kwechiso changu kwakashanduka kuipa mukati mangu, ndikasazova nesimba.
Kunyange zvakadaro ndakanzwa kutinhira kwamashoko ake; zvino ndakati ndichinzwa kutinhira kwamashoko ake, ndikabatwa nehope kwazvo ndivete pachiso changu, chiso changu chakatarira pasi.
Ipapo tarira, ruoko rwakandibata, rukandimisa namabvi angu nezvanza zvamaoko angu ndichidzedzereka.
Akati kwandiri, Iwe Dhanyeri, murume anodikanwa kwazvo, chinzwisisa mashoko andinotaura kwauri, umire kwazvo; nokuti ndatumwa kwauri iwe zvino. Aakati ataura shoko iro kwandiri, ndikamira ndichidedera.
Ipapo akati kwandiri, Usatya Dhanyeri, nokuti kubva pazuva rokutanga rawakafunga nomwoyo wako wose kunzwisisa nokuzvininipisa pamberi paMwari wako, mashoko ako akanzwikwa; ndauya nokuda kwamashoko ako.
Asi muchinda woushe hwavaPeresia akandidzivisa mazuva ana makumi maviri nerimwe; asi tarira, Mikaeri, mumwe wamachinda makuru, akauya kuzondibatsira, ndikasarako kuna madzimambo avaPeresia.
Zvino ndauya kuzokuzivisa zvichaitirwa vanhu vako namazuva okupedzisira; nokuti zvawakaratidzwa ndezvamazuva mazhinji achazouya.
Zvino akati ataura neni namashoko iwayo, ndikaramba ndakatarira pasi nechiso changu, ndikashayiwa shoko.
Ipapo tarira, mumwe akafanana navanakomana vavanhu akagunzva miromo yangu; zvino ndikashamisa muromo wangu, ndikataura, ndikati kuna iye akanga amire pamberi pangu, Aiwa, ishe wangu, ndabatwa nokutya kukuru, handichina simba nokuda kwezvandakaratidzwa.
Nokuti muranda washe wangu uyu angataura seiko nashe wangu uyu? Nokuti kana ndirini, pakarepo ndakasara ndisina simba, uye ndakanga ndisisina mweya mukati mangu.
Ipapo mumwe akafanana nomunhu akandibatazve, akandisimbisa.
Akati, Iwe murume anodikanwa kwazvo, usatya hako; rugare ruve newe, iva nesimba, iva nesimba. Zvino akati achitaura neni, ndikasimbiswa, ndikati, Ishe wangu ngaataure hake, nokuti makandisimbisa.
Zvino akati, Unoziva chandakauyira kwauri here? Zvino ndichadzokera kundorwa nomuchinda wePeresia; kana ndabvapo, tarira, muchinda weGirisi achauya.
Asi ndichakuudza zvakanyorwa murugwaro rwechokwadi; asi hakuna anozvisimbisa kundorwa navava pamwechete neni, asi Mikaeri muchinda wenyu.

11

Kana ndirini, negore rokutanga raDhariusi muMedhia, ini ndakasimuka kundomutsigira nokumusimbisa. Hondo dzavaPeresia navaGiriki
Zvino ndichakuzivisa chokwadi. Tarira, paPeresia pachamukazve madzimambo matatu; wechina achava mupfumi kupfuura ivavo vose; zvino kana asimba kwazvo nefuma yake, achamutsa vamwe vose kuzorwa noushe hweGirisi.
Zvino mambo ane simba achamuka, achabata ushe nesimba guru, achiita sezvaanoda.
Kana amuka, ushe hwake huchaputswa, ndokuparadzirwa kumhepo ina dzokudenga, asi hahungaendi kuvazukuru vake, uye hahungaenzani nesimba raakabata naro iye; nokuti ushe hwake huchadzurwa, ndokupiwa vamwe kunze kwaivavo.
Mambo wezasi achava nesimba, nomumwe wamachinda ake; zvino iye achamupfuura nesimba, ndokubata ushe; ushe hwake huchava ushe hukuru.
Kana mamwe makore apfuura, vachaita sungano; mukunda wamambo wezasi achaenda kuna mambo wokumusoro kuzotsvaka sungano, asi iye mukunda haangarambi ane simba roruoko rwake; kunyange naiye mambo haangamiri, nesimba roruoko rwake; asi mukunda, navakauya naye, naiye akamubereka, naiye akamusimbisa nenguva idzo vachaiswa pakuparadzwa.
Asi pabukira remidzi yake mumwe achamuka panzvimbo yake; iye acharwa namambo wokumusoro, acharwa navo nokuvakunda.
Achatapawo vamwari vavo, pamwechete nemifananidzo yavo yakaumbwa, nemidziyo yavo yakanaka yesirivha nendarama, achindozviisa Ijipiti; ipapo acharega mambo wokumusoro mamwe makore.
Achapindawo muushe hwamambo wezasi, asi achazodzokera kunyika yake.
Vanakomana vake vachandorwa, vachaunganidza boka guru ravarwi, richauya, nokupararira, ndokupfuura neseri; ipapo richadzoka ndokuzorwa kusvikira panhare yake.
Zvino mambo wezasi achatsamwa, achandorwa naye, naiye mambo wokumusoro; asi iye achakokera boka guru, boka iro richaiswa mumaoko ake.
Boka iro richatapwa, zvino mwoyo wake uchazvikudza; uchaparadza vana makumi ezviuru, asi haangakundi.
Zvino mambo wokumusoro achadzoka, ndokukokera boka guru kune rokutanga; achauya pakupera kwenguva dziya, dziya dzamakore ane hondo huru nenhumbi zhinji.
Nenguva idzo vazhinji vachamukira mambo wezasi; uye vana vavanopenga pakati pavanhu vako vachazvikudza, kuti vasimbise zvawakaratidzwa; asi vachaparadzwa.
Zvino mambo wokumusoro achasvika, ndokuvatutira murwi wokurwa, ndokukunda guta rakavakirwa kwazvo; hondo dzezasi handzingagoni kumira, kunyange navanhu vake vakatsaurwa, uye vachashayiwa simba rokumira naro.
Asi uyo anouuya kuzorwa naye achaita sezvaanoda, hakuna angamira pamberi pake; zvino iye achamira panyika yakaisvonaka, akabata kuparadza muruoko rwake.
Ipapo achashingaira kuuya nesimba roushe hwake hwose, ane sungano yake; achaita izvozvo, achamupa mwanasikana wavakadzi, kuti amuparadze; asi zvichakona, haana chaachawana.
Shure kwaizvozvo acharinzira chiso chake kuzvivi, ndokukunda zvizhinji; asi mumwe mukuru wehondo achagumisa kushoora kwake; achadzosera kushoora kwake kuna iye amene.
Ipapo acharinzira chiso chake kunhare dzenyika yake; asi achagumburwa nokuwa, ndokushayikwa.
Zvino panzvimbo yake kuchamuka mumwe achatuma muteresi kupfuura pakaisvonaka paushe hwake, asi kana mazuva mashoma apera uchaparadzwa, zvisingaitwi nokutsamwa kana nokurwa.
Panzvimbo yake kuchamuka munhu anofanira kuzvidzwa, akanga asina kupiwa kukudzwa kwoushe; asi iye achasvika nenguva yokufara kwavanhu, ndokutora ushe nokubata kumeso.
Hondo dzinokukura dzichakukurwa pamberi pake, dzichaparadzwa; zvirokwazvo, naiye muchinda wesunganowo.
Kana apedza kuita sungano navo, achavanyengera; nokuti achakwirira, nokuva nesimba navanhu vashoma.
Nenguva yokufara kwavanhu achapinda pamativi akaorera enyika; achaita zvisina kumboitwa namadzibaba ake, kunyange namadzibaba amadzibaba ake; achaparadzira pakati pavo zvaakatapa nezvaakapamba nenhumbi; achatanda mano ake pamusoro penhare, asi nenguva bedzi.
Ipapo achamutsira mambo wezasi simba rake nomwoyo wake, ane hondo huru kwazvo ine simba; asi haangamiri, nokuti vachamutandira mano.
Vanodya zvokudya zvake, ndivo vachamuparadza; hondo yake ichapararira, vazhinji vachawira pasi vaurawa.
Kana ari madzimambo awo maviri, mwoyo yavo ichada kuita zvakashata, vachareva nhema vari patafura rimwe; asi hazvingabatsiri, nokuti kuguma kuchasvika nenguva yakatarwa.
Ipapo achadzokera kunyika yake nenhumbi zhinji; mwoyo wake uchavenga sungano, achaita sezvaanoda, ndokudzokera kunyika yake.
Nenguva yakatarwa achadzoka, ndokusvika kunyika yezasi; asi nenguva yokupedzisira hazvingaiti sapakutanga.
Nokuti zvikepe zveKitimi zvichauya kuzorwa naye; naizvozvo achaora mwoyo, ndokudzoka akatsamwa pamusoro pesungano, ndokuita sezvaanoda; achadzoka, ndokuva nehanya navakaramba sungano tsvene.
Hondo dzichamutswa naye., dzichamhura nzvimbo tsvene, iye nhare, vachabvisa chipiriso chinopiswa nguva dzose, ndokumutsa chinonyangadza chinoparadza.
Vanoitira sungano zvakaipa, achavatsausa nokubata kumeso; asi vanhu vanoziva Mwari wavo, vachava nesimba, vachaita mabasa makuru.
Vakachenjera pakati pavanhu vachadzidzisa vazhinji; asi vachaparadzwa nomunondo, uye nomurazvo womoto, uye nokutapwa, uye nokupambwa mazuva mazhinji.
Zvino kana voparadzwa vachabatsirwa nokubatsirwa kuduku; asi vazhinji vachazviisa kwavari nokubata kumeso.
Vamwe vavo vakachenjera vachaparadzwa, kuti vaedzwe, vacheneswe, kusvikira kunguva yokupedzisira; nokuti nguva yokupedzisira ichigere kusvika.
Mambo uyo achaita sezvaanoda; achazviita mukuru, achazvikudza achiti ndinopfuura vamwari vose, achataura zvinhu zvinoshamisa pamusoro paMwari wavamwari; iye achafara pane zvaanoita kusvikira kutsamwa kwapera, nokuti zvakatemwa zvichaitika.
Uye haangavi nehanya navamwari vamadzibaba ake, kana norudo rwavakadzi, haangavi nehanya namwari upi noupi; nokuti achazvikudza achiti ndakapfuura vose.
Asi panzvimbo yazvo achakudza mwari wenhare; mwari wakanga asingazikanwi namadzibaba ake, ndiye waachakudza nendarama nesirivha namabwe anokosha nezvinhu zvinodikanwa.
Acharwa nenhare dzakaisvobata achibatsirwa namwari wavatorwa; ani naani anodikanwa naye, iye achakudzwa naye zvikuru; achavabatisa ushe pamusoro pavanhu vazhinji, achivagovera nyika uve mubayiro wavo.
Zvino nenguva yokupedzisira mambo wezasi achapesana naye; mambo wokumusoro achauya kuzorwa naye sechamupupuri, ane ngoro navatasvi vamabhiza nezvikepe zvizhinji, achapinda munyika idzo, ndokupararira, ndokupfuura neseri.
Achapindawo munyika yakaisvonaka, nyika zhinji dzichakundwa, asi idzi dzicharwirwa paruoko rwake, dzinoti Edhomu, neMoabhu norutivi rwakanaka rwavana vaAmoni.
Achatambanudzirawo ruoko rwake kune dzimwe nyika; nyika yeIjipiti haingapukunyuki.
Asi achava anesimba pamusoro pefuma yendarama nesirivha, napamusoro pezvinhu zvose zvinokosha zveIjipiti; vaRibhia navaItiopia vachatevera makwara ake.
Asi mashoko anobva kumabvazuva nokumusoro achamuvhundusa; ipapo achabuda nehasha kwazvo kundoparadza nokupedza chose vazhinji.
Achadzika matende ake oushe pakati pegungwa negomo dzvene rakaisvonaka; kunyange zvakadaro achasvika pakuguma kwake, achashayiwa anomubatsira,

12

Nenguva iyo Mikaeri achasimuka, iye muchinda mukuru anochengeta vana vavanhu vako; ipapo nguva yenjodzi ichavapo, isina kumbovapo yakadaro kubva pakumuka kwamarudzi avanhu kusvikira nguva iyo; nenguva iyo vanhu vako vacharwirwa, ivo vose vakanyorwa mubhuku.
Zvino vazhinji vavavete muvhu rapasi vachamuka, vamwe vachamukira upenyu usingaperi, vamwe kukunyadziswa nokuzvidzwa kusingaperi.
Vakachenjera vachapenya sokupenya kwokudenga, uye vanodzorera vazhinji kukururama vachapenya senyeredzi nokusingaperi-peri.
Asi iwe Dhanyeri, vanza mashoko, unamire bhuku rechisimbiso, kusvikira kunguva yokupedzisira; vazhinji vachamhanya pose-pose, nezivo ichawanda.
Ipapo ini Dhanyeri ndakatarira, ndikaona vamwe vaviri, mumwe pamhenderekedzo yorwizi nechouno mhiri, mumwe pamhenderekedzo yorwizi nechemhiri.
Mumwe akati kumurume akanga akapfeka hanzu dzerineni, akanga ari pamusoro pemvura yorwizi, Inguva yakadini kusvikira pakuguma kwezvishamiso izvi?
Ndikanzwa murume akanga akapfeka hanzu dzerineni, akanga ari pamusoro pemvura yorwizi, achisimudzira kudenga ruoko rwake rworudyi noruoko rwake rworuboshwe, achipika naiye anorarama nokusingaperi, kuti zvichaita nguva imwe, nedzimwe nguva, nehafu yenguva; kana vapedza kuputsanya simba ravanhu vatsvene, izvi zvose zvichapedziswa.
Ndikanzwa, asi handina kuzvinzwisisa, ipapo ndikati, Aiwa ishe wangu, kupera kwezvinhu izvi ndokweiko?
Iye akati, Chienda hako, iwe Dhanyeri, nokuti mashoko awa akavanzwa nokunamirwa nechisimbiso kusvikira panguva yokupedzisira.
Vazhinji vachazvinatsa nokuzvichenesa nokubviswa tsvina, asi vakaipa vachaita zvakaipa; hakuna pakati pavakaipa achanzwisisa, asi vakachenjera ndivo vachanzwisisa.
Kubva panguva yokubviswa kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nokumutswa kwechifananidzo chinonyangadza chinoparadza, zvichaita mazuva ane chiuru chimwe namazana maviri namakumi mapfumbamwe.
Akaropafadzwa anoramba achimirira kusvikira pamazuva ane chiuru chimwe namazana matatu namakumi matatu namashanu.
Asi iwe chienda hako kusvikira kuguma kwavapo; nokuti iwe achazorora, ndokumukirazve mugove wako pakupera kwamazuva iwayo.

License
CC-0
Link to license

Citation Suggestion for this Edition
TextGrid Repository (2025). Christos Christodoulopoulos. Daniel (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5A3-1