1
Zvirevo zvaSoromoni, mwanakomana waDhavhidhi, mambo waIsiraeri.
Kuti vanhu vazive uchenjeri nokurairirwa; Nokunzwisisa mashoko enjere;
Varairirwe nzira yokungwara, Neyokururama, nokururamisa, nokutendeka;
Vasina mano vapiwe kungwara, Jaya ripiwe zivo nokuchenjera;
Kuti wakachenjera anzwe, awedzere kudzidza; Nomunhu wenjere awane mano akanaka.
Vanzwisise chirevo nomufananidzo, Mashoko avakachenjera nezvirahwe zvavo. Munhu ngaanzvenge vatadzi vanonyengedzera
Kutya Jehovha ndiko kuvamba kwezivo; Mapenzi anoshora uchenjeri nokurairirwa.
Mwanakomana wangu, inzwa kurairira kwababa vako; Usarasha kudzidzisa kwamai vako.
Nokuti zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako, Nengetani pamutsipa pako.
Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikugombedzera, Usatenda iwe.
Kana vachiti, Hendei tose, Ngatirindire ropa; Ngativandire vasina mhosva kunyange pasina mhaka.
Ngativamedze vari vapenyu seSheori, Vari vakukutu saivo vanoburukira kugomba.
Tichawana fuma yamarudzi mazhinji; Tichazadza dzimba dzedu nezvatakapamba;
Iwe uchava mumwe wedu; Tose tichava nechikwama chimwechete.
Mwanakomana wangu, usafamba navo nenzira yavo; Dzora rutsoka rwako panzira yavo;
Nokuti tsoka dzavo dzinovangira zvakaipa; Vanokurumidza kudurura ropa.
Nokuti mumbure unodzikirwa pasina Shiri dzamarudzi ose dzichizviona.
Vanhu ava vanogarira ropa ravo vamene; Vanozvivandira hupenyu hwavo.
Ndizvo zvakaitawo nzira dzavose vanokarira fuma; Zvinotorera mwene wazvo upenyu hwake. Uchenjeri hunodana vasina njere
Uchenjeri unodanidzira panzira dzomumusha; hunonzwisa inzwi rahwo panzvimbo dzakafara;
hunodana panzvimbo panoungana vazhinji; Pavanopinda pamasuo, Paguta, ndipo pahunotaura mashoko ahwo, huchiti,
Nhai imi vasina mano, muchada kusava namano kusvikira rinhiko? Nemi vaseki kufarira kuseka kwenyu, Namapenzi kuvenga zivo?
Dzokai kana muchinzwa kuraira kwangu, Tarirai ndichadurura mweya wangu pamusoro penyu; Ndichakuzivisai mashoko angu.
Zvandakadana, imi mukaramba; Ndikatambanudza ruoko rwangu, kukasava nomunhu akarangarira;
Asi makazvidza mano angu ose, Mukaramba chose kuraira kwangu,
Naizvozvo neniwo ndichaseka kana mava munhamo yenyu; Ndichakudadirai, kana kutya kwenyu kuchisvika.
Kana kutya kwenyu kuchisvika sedutu guru, Nenhamo yenyu ichisvika sechamupupuri; Kana kutambudzika nokudumbirwa zvichikuwirai.
Nenguva iyo uchadana kwandiri, asi handingapinduri; Vachanditsvaka zvikuru, asi havangandiwani.
Zvavakavenga zivo, Vakasazvitsaurira kutya Jehovha,
Vakaramba mano angu ose, Vakashora kuraira kwangu kwose,
Naizvozvo vachadya zvibereko zvenzira yavo; Vachagutswa namano avo.
Nokuti kudzokera shure kwavasina mano kuchavauraya, Kusava nehanya kwamapenzi kuchavaparadza.
Asi ani naani anonditeerera achagara zvakasimba, Achagadzikana, asingatyi zvakaipa.
2
Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, Nokuchengeta mirairo yangu kwauri;
Kuti urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri, Nokurwadza moyo wako, kuti unzwisise;
Kana ukachemera kunzwisisa, Ukadanidzira nenzwi rako kuti uwane njere;
Zvirokwazvo kana ukahutsvaka sesirivha, Ukahutsvakisisa sefuma yakavanzwa;
Ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, Nokuwana zivo yaMwari.
Nokuti Jehovha ndiye anopa uchenjeri; Mumuromo make munobuda zivo nenjere,
Unovigira vakarurama uchenjeri chaihwo; Ndiye nhovo yavanofamba muzvokwadi;
Nokuti anorinda makwara okururamisa, Nokuchengeta nzira yavatsvene vake.
Ipapo uchanzwisisa kururama nokururamisa, Nokutendeka, idzo nzira dzose dzakanaka.
Nokuti uchenjeri huchapinda mumoyo mako, Zivo ichafadza mweya wako;
Kungwara kuchakurindira, Njere dzichakuchengeta;
Zvikurwire panzira yezvakaipa, Napavanhu vanotaura zvisakarurama;
Vanorasha makwara okururama, Kuti vafambe nenzira dzerima;
Vanofarira kuita zvakaipa, Vanofadzwa nokunyengera kwezvakaipa.
Vane nzira dzakaminama, Vanotsauka pamakwara avo;
Kuti zvikurwire kumukadzi wokumwe, Kumukadzi mutorwa, anobata kumeso namashoko ake.
Iye, anorasha shamwari yohumhandara hwake, Achikanganwa sungano yaMwari wake.
Nokuti imba yake inonyura kurufu, Nenzira dzake kuvakafa;
Hakuna anopinda kwaari anozodzokazve; Havasviki panzira dzoupenyu;
Kuti ufambe nenzira yavakanaka, Uchengete makwara avakarurama.
Nokuti vakarurama vachagara panyika, Vakakwana vachafambirapo.
Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; Vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.
3
Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu; Asi moyo wako ngauchengete mirairo yangu;
Nokuti zvichakuwedzera mazuva mazhinji, Namakore ohupenyu, norugare.
Rudo nezvokwadi ngazvirege kukusiya; Uzvisungire pamutsipa wako; Uzvinyore pahwendefa romoyo wako;
Nokudaro uchawana nyasha nenjere dzakanaka Pamberi paMwari navanhu.
Vimba naJehovha nomoyo wako wose, Urege kusendama panjere dzako.
Umutende panzira dzako dzose, Agoruramisa makwara ako ose.
Usazviti ndakachenjera; Itya Jehovha, ubve pane zvakaipa;
Zvichava mushonga womuviri wako, Nomwongo wamapfupa ako.
Kudza Jehovha nezvaunazvo, Uye nezvitsva zvazvose zvawakawana;
Ipapo matura ako achazadzwa nezvakawanda, Makate ako achapfachuka newaini itsva.
Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha; Usaneta nokuraira kwake.
Nokuti Jehovha anoraira mudikanwa wake; Sezvinoita baba mwanakomana wavo wavanofarira. Mufaro womunhu, awana uchenjeri
Munhu, awana uchenjeri, anomufaro, Naiye munhu, anowana njere.
Nokuti kuhuwana ihwo kunopfuura kuwana sirivha; Nokufuma nahwo kunopfuura kufuma nendarama.
Hunokosha kupfuura korari; Hakune fuma yako ingaenzaniswa nahwo.
Mazuva mazhinji ohupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; Muruoko rwahwo rworuboshwe mune fuma nokukudzwa.
Nzira dzahwo inzira dzezvinofadza; Makwara ahwo ose ndoorugare.
Ndiwo muti woupenyu kuna vanohunamatira; Mumwe nomumwe anohubata anomufaro.
Jehovha akateya pasi nouchenjeri; Wakasimbisa kudenga-denga nenjere.
Mvura iri makadzika yakadzutuka nezivo yake; Denga rose rakadonha dova.
Mwanakomana wangu, ngazvirege kubva pameso ako; Chengeta uchenjeri chaihwo nokungwara.
Ipapo zvichava upenyu hwomweya Noukomba pamutsipa wako.
Ipapo uchafamba nenzira yako wakasimba; Rutsoka rwako harungagumburwi.
Kana uchivata pasi haungatyi; Uye kana wavata pasi hope dzako dzichava dzakanaka.
Usatya hako chivhunduso chinokuwira kamwe-kamwe, Kunyange kuparadzwa kwavakaipa, kana kuchisvika;
Nokuti Jehovha achava chivimbo chako; Achachengeta rutsoka rwako, kuti rurege kubatwa. Munhu ngaave nomoyo murefu nokutendeka
Munhu, akafanirwa, usaramba kumuitira zvakanaka Kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita.
Usati kunowokwako, Enda, ugodzokazve, Mangwana ndichakupa; Kana uchinge unazvopo.
Usafunga kuitira wokwako zvakaipa, Zvaanogara hake newe achikutenda.
Usarwa nomunhu pasina mhosva, Kana asina kukuitira zvakaipa.
Usagodora munhu anomanikidza; Usatevera kunyange nomumwe wemitovo yake.
Nokuti mutsauki inyangadzi kuna Jehovha; Asi ano hukama navakarurama.
Kutukwa naJehovha kuri mumba mowakaipa; Asi unoropafadza ugaro hwavakarurama.
Kana vari vadadi, anovadadira, Asi vanozvininipisa anovaitira nyasha.
Vakachenjera vachagara nhaka yokukudzwa; Asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa. Itya Jehovha, ubve pane zvakaipa;
4
Imi vanakomana, inzwai kurairira kwababa venyu; Teererai, muzive njere.
Nokuti ndinokupai dzidziso yakanaka; Regai kurasha murayiro wangu.
Nokuti ini ndakanga ndiri mwanakomana kuna baba vangu, Mwana oga akadikanwa kwazvo, namai vangu;
Ivo baba vakandidzidzisa, vakati kwandiri, moyo wako ngaunyatsobata mashoko angu; Chengeta mirairo yangu, urarame.
Zviwanire uchenjeri, zviwanire njere; Regai kukanganwa kana kutsauka pamashoko omuromo wangu;
Usahurasha, hugokuchengeta; Uhude, hugokurinda.
Uchenjeri chinhu chikuru kune zvose; saka uzviwanire uchenjeri; Uzviwanire njere nezvose zvaunazvo.
Uhukudze, hugokukwiridza iwe; Huchakuvigira kukudzwa, kana uchihumbundikira.
Huchapa musoro wako chishongo chakanaka; Huchakuisira korona inobwinya.
Chinzwa iwe mwanakomana wangu, ugamuchire zvandinoreva; Makore oupenyu hwako agova mazhinji.
Ndakakudzidzisa panzira youchenjeri; Ndakakufambisa pamakwara akarurama.
Kana uchifamba, tsoka dzako hadzingapinganidzwi; Kana uchimhanya, haungagumburwi.
Natsa kubata kurairirwa; usakuregedza; Ukuchengete, nokuti ndihwo hupenyu hwako.
Usapinda pagwara ravakaipa, Usafamba nenzira yavakashata.
Uinzvenge, usapinda pairi; Tsauka pairi, upfuure hako.
Nokuti havavati, kana vasingaiti zvakashata; Vanotorerwa hope dzavo, kana vasingagumbusi vamwe.
Nokuti vanodya zvokudya zvezvakaipa, Nokunwa waini yokumanikidza.
Asi gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, Chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru.
Nzira yavakaipa yakaita serima; Havazivi chingavagumbusa.
Mwanakomana wangu, teerera mashoko angu; Rerekera nzeve yako kune zvandinoreva.
Urambe uchitarira, Uachengete mukati momoyo wako.
Nokuti ndihwo hupenyu kuna vanoawana, Noukukutu hwemuviri wavo vose.
Chengeta moyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; Nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.
Bvisa kwauri nhema dzomuromo, Kutsauka kwemiromo ngakuve kure newe.
Meso ako ngaarurame pakutarira; Mafungiro ameso ako ngaatarire mberi kwako.
Gadzirira tsoka dzako gwara; Nzira dzako dzose dzive dzakasimba.
Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe; Rutsoka rwako urubvise pane zvakaipa.
5
Mwanakomana wangu, teerera uchenjeri hwangu; Rerekera nzeve yako inzwe njere dzangu;
Kuti ugare wakabata kungwara, Nemiromo yako ichengete zivo.
Nokuti miromo yomukadzi wokumwe inodonha huchi; Muromo wake unotedza kupfuura mafuta;
Asi pakupedzisira unovava segavakava; Unopinza somunondo une nhivi mbiri dzinocheka.
Tsoka dzake dzinoburukira kurufu; Nhambwe dzake dzinovavarira kuhwiro;
Gwara roupenyu, rakati chechetere, haariwani, Nzira dzake dzinotsauka, iye asingazvizivi.
Saka imi, vanakomana vangu, nditeererei; Regai kutsauka pamashoko omuromo wangu.
Nzira yako ngaive kure naye, Usaswedera pamukova weimba yake.
Kuti urege kupa vamwe kunaka kwohujaya hwako, Namakore ako kuno anomoyo mukukutu;
Kuti vatorwa varege kugutswa nefuma yako, Nezvibereko zvokutambura kwako zviende kumba kwomweni.
Iwe ugochema pakupedzisira kwako, Kana nyama yako nomuviri wako zvaparadzwa,
Uchiti, Ndakavengereiko kurairirwa, moyo wangu wakashorerei kurairwa?
Ndakaregereiko kuteerera inzwi ravadzidzisi vangu, Nokusarerekera nzeve yangu kuna vaindiraira?
Ndakanga ndapinda pane zvakaipa zvose, Pakati pechaunga neungano.
Inwa mvura padziva rako chairo, Nemvura inoyerera patsime rako chairo.
Ko matsime ako anofanira kuparadzirwa here, Nzizi dzemvura dziyerere munzira dzomumusha here?
Ngazvive zvako woga, Zvisava zvavatorwa pamwechete newe.
Tsime rako ngariropafadzwe; Ufarire mukadzi wohujaya hwako.
Sehadzi yenondo yakanaka, nehadzi yengururu inofadza; Mazamu ake ngaakufadze nguva dzose; Ugare uchigutiswa norudo rwake.
Nokuti iwe, mwanakomana wangu, uchagutsirweiko nomukadzi wokumwe, Uchambundikireiko chipfuva chomweni?
Nokuti nzira dzomunhu dziri pamberi paJehovha; Ndiye anoyera makwara ake ose.
Zvivi zvake zvichabata muiti wazvo, Achabatwa namabote ezvivi zvake.
Achafa nokushaiwa kurairirwa; Achatsauka noukuru hwoupenzi hwake.
6
Mwanakomana wangu, kana uchinge wakazviitira wokwako rubatso, Wazvisunga nokuda kwomutorwa noruoko rwako,
Wazviteya namashoko omuromo wako, Wabatwa namashoko omuromo wako,
Zvino ita kudai, mwanakomana wangu, uzvirwire, Zvawabatwa noruoko rwowokwako, Enda, undozvininipisa, ukumbire zvikuru kunowokwako.
Usatendera meso ako hope, Kana mafungiro ameso ako kutsumwaira;
Uzvirwire semhara paruoko rwomuvhimi, Seshiri paruoko rwomuteyi. Simbe inotukwa
Enda kumujuru, iwe simbe; Cherekedza nzira dzawo ugova wakachenjera!
Kunyange iwo usina mutongi, Kana mutariri kana mubati,
Unogadzira zvokudya zvawo muzhizha, Nokuunganidza zvokudya zvawo mukukohwa.
Iwe simbe, uchavata pasi kusvikira rinhiko? Uchamuka rinhiko pahope dzako?
Kumbovata zvishomanene, kumbotsumwaira zvishomanene, Kumbofungatira maoko zvishomanene, ndizorore;
Saizvozvo urombo hwako huchasvika segororo, Nokushaiwa kwako somunhu wakashonga nhumbi dzokurwa. Zvinovengwa naMwari
Munhu asina maturo, munhu anoita zvakaipa, Ndiye anofamba nomuromo une nhema;
Anobwaira nameso ake, anotendekera netsoka dzake, Anodudzira neminwe yake;
Ane zvisakarurama pamoyo pake, Anosifungira vamwe zvakaipa, Anokusha kupesana.
Saka njodzi yake ichamuwira kamwe-kamwe; Achavhuniwa pakarepo, kusina chingamubatsira.
Zvinhu zvitanhatu zviriko zvinovengwa naJehovha; Zvirokwazvo, tingati kune zvinomwe, zvinomunyangadza, zvinoti:
Meso ounozvikudza, rurimi runoreva nhema, Maoko anodurura ropa risina mhaka;
moyo unofunga mano akaipa, Tsoka dzinokurumidza kuvangira zvakashata;
Chapupu chinonyengera chinoreva nhema, Uye anokusha kupesana pakati pehama. Kushata kwoupombwe
Mwanakomana wangu, chengeta murayiro wababa vako; Usarasha kudzidzisa kwamai vako.
Uzvisungire nguva dzose pamoyo wako; Uzvishonge pamutsipa wako.
Kana uchifamba, zvichakutungamirira; Kana uchivata pasi, zvichakurinda; Kana womuka, zvichataurirana newe.
Nokuti murayiro ndiwo mwenje; murau ndicho chiedza; Kuraira kwokurairirwa inzira youpenyu;
Kuti uchengetwe pamukadzi wakaipa, Pakubata kumeso kworurimi rwomutorwa.
Usachiva kunaka kwake mumoyo mako; Arege kukubata namafungiro ameso ake.
Nokuti nokuda kwechifeve munhu angasvikira pakudya chimedu bedzi chechingwa; Mukadzi womumwe munhu anovhima upenyu hunokosha.
Ko munhu ungaisa moto muchipfuva chake, nguvo dzake dzikasatsva here?
Kana munhu angatsika mazimbe anopisa, Tsoka dzake dzikasapiswa here?
Ndizvo zvakaita munhu anopinda kumukadzi wowokwake; Ani naani anomunyangata iye mukadzi haangaregwi kurohwa.
Vanhu havangazvidzi mubi kana achiba Kuti agute kana achinge ane nzara.
Asi kana akabatwa anofanira kudzosera zvava zvinomwe; Anofanira kuripa nefuma yose yeimba yake.
Anoita upombwe nomukadzi, anoshaiwa njere; Anoda kuparadza upenyu hwake ndiye anoita izvozvo.
Uchangozviwanira mavanga nokusakudzwa; Kunyadziswa kwake hakungatongopusikwi.
Nokuti godo rinomutsa hasha dzomurume; Haanganzwiri tsitsi pazuva rokutsiva.
Haangavi nehanya nomuripo; Haangatendi, kunyange ukamuvigira zvipo zvizhinji.
7
Mwanakomana wangu, chengeta mashoko angu, Viga mirairo yangu kwauri.
Chengeta mirairo yangu, urarame; Nomurau wangu semboni yeziso rako.
Uzvisungire pamweya wako; Uzvinyore pahwendefa romoyo wako.
Uti kuuchenjeri, Ndiwe hanzvadzi yangu; Utumidze njere shamwari yako;
Kuti zvikuchengete pamukadzi wokumwe, Pamutorwa anobata kumeso namashoko ake.
Nokuti ndakatarira pahwindo reimba yangu, Pahutanda hwehwindo rangu;
Ndikatarira pakati pavasina mano, Ndikaona pakati pamajaya. Rimwe jaya rakashaiwa njere;
Richipfuura nenzira yomumusha pedo nekona yeimba yomukadzi
Nenguva yorubvunzavaeni, nenguva yamadeko ezuva, Pakati pousiku kwasviba.
Zvino tarira, mukadzi akasangana naye, Akanga akafuka sechifeve, anokunyengedzera pamoyo.
Anopupira, achiita sezvaanoda; Tsoka dzake hadzigari mumba make;
Imwe nguva ari munzira dzomumusha, imwe nguva pamatare; Anorindira pamakona ose.
Zvino iye akamubata, akamutsvoda; Akataura naye nechiso chisina kunyara, akati kwaari,
Ndaifanira kuuya nezvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, Nhasi ndaripa mhiko dzangu.
Saka ndabuda kuzokuchingamidza, Nditsvake chiso chako zvikuru, zvino ndakuwana.
Ndakawarira machira anohukomba pamubhedha wangu, Nemicheka ina mavara inobva Ijipiti.
Ndakasasa zvinonhuwira pamubhedha wangu, Mura, negavakava, nekinamoni.
Uya tigute nokudana kusvikira mangwanani; Ngatizvifadze nokudana kukuru.
Nokuti murume haapo pamusha; Akafamba rwendo rukuru;
Akaenda nehombodo ine mari; Achadzoka pajenaguru.
Nokutaura kwake kuzhinji kwakanaka anomutsausa, Anomugombedzera nokubata kumeso kwemiromo yake.
Anomutevera pakarepo, Senzombe inoenda kwainondobayiwa, Kana sebenzi rakasungwa rinoenda kundorangwa;
Kusvikira museve wabaya chiropa chake; Seshiri inokurumidzira kurugombe, Asingazivi kuti zvinovinga upenyu hwake.
Zvino vanakomana vangu, nditeererei, Inzwai mashoko omuromo wangu.
moyo wako ngaurege kutsaukira kunzira dzake; Usafamba-famba mumakwara ake.
Nokuti akawisira pasi vazhinji vakakuvadzwa; Zvirokwazvo, vakaurawa naye vazhinji kwazvo.
Imba yake inzira dzinoenda Sheori, Dzinoburukira kudzimba dzorufu.
8
Ko Uchenjeri hahudanidziri here? Nenjere hadzibudisi manzwi adzo here?
Pamusoro pemitunhu panzira, Pamharadzano dzenzira, ndipo pahumire;
Parutivi rwamasuo, panopindwa paguta, Pavanopinda pamikova, ndipo pahunodanidzira; huchiti,
Ndinodanidzira kwamuri, imi varume, Inzwi rangu rinodana vanakomana vavanhu.
nzwisisai uchenjeri, imi vasina mano; Imi mapenzi, ivai nomoyo une njere.
Inzwai, nokuti ndichataura zvinhu zvakaisvonaka; Nokuti miromo yangu ichashamira zvinhu zvakarurama.
Nokuti muromo wangu unobudisa zvokwadi; Chinhu chakaipa chinonyangadza pamiromo yangu.
Mashoko ose omuromo wangu akarurama; Hakuna chinhu chakakombama kana chisakarurama maari;
Zvose zviri pachena kuno anenjere; Zvakarurama kuna ivo vakawana zivo.
Gamuchirai kuraira kwangu, murege kugamuchira sirivha; Nezivo, kupfuura ndarama yakasarurwa.
Nokuti uchenjeri hwakanaka kupfuura korari; Zvose zvinodikanwa nomunhu hazvingaenzaniswi nahwo.
Ini uchenjeri ndakaita kungwara imba yangu, Ndinowana zivo namano akarurama.
Kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa; Kuzvikudza namanyawi nenzira yakaipa, Nomuromo unonyengedzera, ndinozvivenga.
Ndine zano rakanaka nokubata kwakakwana; Ndini kuchenjera; ndine simba.
Madzimambo anobata ushe neni, Vabati vanotonga vanhu neni.
Madzishe anofambisa ushe neni, Navakuru, ivo vatongi vose vapasi.
Ndinoda vanondida; Vanonditsvaka nomoyo wose vachandiwana.
fuma nokukudzwa zvineni, Zvinokosha zvakaisvonaka nokururama.
Zvibereko zvangu zvakanaka kupfuura ndarama, kunyange ndarama yakaisvonaka; Zvandinowana zvinopfuura sirivha yakasarurwa.
Ndinofamba nenzira yokururama, Mukati mamakwara okururamisa;
Kuti ndigarise nhaka vanondida, Ndizadze zvivigiro zvefuma yavo.
Jehovha akandiumba pakuvamba kwenzira yake, Kutangira mabasa ake akare.
Ini ndakamiswa kubva pakusingaperi, kubva pakutanga, Pasi pasati pasikwa.
Makungwa asati avapo, ini ndakaberekwa; Pasina matsime ane mvura zhinji.
Makomo asati anyudzwa, Zvikomo zvisipo, ini ndakaberekwa;
Iye asati aumba pasi namapani, Kana guruva rokutanga renyika.
Panguva yaakagadzira kudenga-denga, ndakanga ndiripo; Pakuisa kwake denderedzwa pamusoro pamakungwa;
Panguva yaakasimbisa denga rose kumusoro, Pakusimba kwamatsime amakungwa;
Panguva yaakaitira gungwa miganho yaro, Kuti mvura irege kudarika murayiro wake, Pakutara kwake nheyo dzapasi;
Nenguva iyo ndaiva naye, ndiri mhizha; Ndaimufadza zuva rimwe nerimwe, Ndichitamba pamberi pake nguva dzose,
Ndichitamba panyika yake, Ndichifadzwa navanakomana vavanhu.
Saka zvino vanakomana vangu, nditeererei; Nokuti vanochengeta nzira dzangu vakaropafadzwa.
Inzwai kurairira muve vakachenjera, Regai kukuramba.
Munhu, anondinzwa, akaropafadzwa, Anorinda zuva rimwe nerimwe pamasuo angu, Anomira pazvivivo zvemikova yangu.
Nokuti andiwana, awana hupenyu, Achapiwa nyasha naJehovha.
Asi anondishaiwa, anotadzira mweya wake;
9
Uchenjeri hwakavaka imba yahwo; Hwakaveza mbiru dzahwo nomwe;
Hwakabaya zvipfuwo zvahwo; Hwakavhenganisa waini yahwo; Hwakagadzirawo tafura yahwo.
Hwakatuma varandakadzi vahwo; hunodanidzira pamitunhu yeguta, huchiti,
Asina mano ngaatsaukire muno; Asina njere, hunoti kwaari,
Uyai mudye chingwa changu, Munwe waini yandakavhenganisa.
Regai kusasvinuka murarame; Mufambe nenzira yenjere.
Munhu, anoraira mudadiri anozvitsvakira kunyadziswa; Anotuka munhu wakaipa achasvibiswa.
Usaraira mudadiri, kuti arege kukuvenga; Raira munhu wakachenjera, iye achakuda.
Ipa wakachenjera dzidzo, ipapo iye achawedzerwa huchenjeri; Dzidzisa wakarurama, ipapo iye achawedzerwa zivo.
Kuvamba kwouchenjeri ndiko kutya Iehovha., Kuziva Mutsvene ndidzo njere.
Nokuti neni mazuva ako achaitwa mazhinji, Makore oupenyu hwako achawedzerwa.
Kana wakachenjera, iwe, wakazvichenjerera hako; Kana uri mudadiri, iwe woga uchava nemhosva yazvo.
Mukadzi benzi anopupira; Haana mano, haazivi chinhu.
Anogara pamukova weimba yake, Pachigaro pamitunhu yeguta.
Kuti adanidzire kuna vanopfuura napo, Ivo vanorurama nenzira dzavo, achiti,
Ani naani asina mano, ngaatsaukire muno; Asine njere, mukadzi anoti kwaari,
Mvura yabiwa inozipa, Chingwa chinodyiwa pakavanda chinonaka.
Asi haazivi kuti vanopindamo vanofa; Kuti vakakokerwa naye vari mukati-kati meSheori.
10
Zvirevo zvaSoromoni. Mwanakomana, akachenjera, anofadza baba; Asi mwanakomana benzi anoshuwisa mai vake.
fuma yakawanikwa nezvakaipa haibatsiri chinhu; Asi kururama kunorwira parufu.
Jehovha haangatenderi mweya wowakarurama kuti unzwe nzara; Asi kupanga kwavakaipa unokusundira kure.
Anobata noruoko rusine hanya, achava murombo; Asi ruoko rweasina usimbe runofumisa.
Anounganidza muzhezha, ndiye mwanakomana wakachenjera; Asi anovata hope mukukohwa, mwanakomana anonyadzisa.
Mikomborero iri pamusoro wowakarurama; Asi muromo wowakaipa unovanza kumanikidza.
Kuyeukwa kwowakarurama kunovigira kuropafadzwa, Asi zita rowakaipa richaora.
Ane moyo wakachenjera, achagamuchira mirairo; Asi ane miromo youpenzi achawisirwa pasi.
Anofamba zvakarurama, anofamba zvakasimba; Asi anominamisa nzira dzake, achazikanwa.
Anochonya neziso rake, anouyisa madambudzo; Asi ane miromo youpenzi, achawisirwa pasi.
Muromo wowakarurama itsime roupenyu; Asi muromo wowakaipa unovanza kumanikidza.
Mbengo dzinomutsa kukakavara; Asi rudo runofukidza kudarika kwose.
Pamiromo yeane njere panowanikwa uchenjeri; Asi shamhu yakafanira musana woanoshaiwa njere.
Vakachenjera vanozvichengetera zivo; Asi muromo webenzi uri pedo nokuparadzwa.
fuma yomufumi ndiro guta rake rakasimba; Zvinoparadza varombo ndihwo urombo hwavo.
Zvaakabatira zvinoisa wakarurama kuupenyu; Zvakawanikwa nowakaipa zvinoisa kuzvivi.
Anoteerera kurairirwa, ari panzira youpenyu; Asi anoramba kurairwa, anotsausa vamwe.
Anovanza kuvenga, ane miromo yenhema; Ana makuhwa, ibenzi.
Kudarika hakungakoni pamunhu anamashoko mazhinji; Asi anodzora miromo yake, ano huchenjeri.
Rurimi rwowakarurama rwakafanana nesirivha yakasarurwa; moyo wowakaipa haubatsiri chinhu.
Miromo yowakarurama inosimbisa vazhinji; Asi mapenzi anofa nokushaiwa zivo.
Kuropafadza kwaJehovha ndiko kunofumisa; Kutambura pabasa hakuwedzeri chinhu.
Benzi rinoti kuita zvakaipa kutamba; Ndizvo zvinoitawo uchenjeri kuno ane njere.
Zvinotyiwa nowakaipa, ndizvo zvichamuwira; Asi wakarurama achapiwa zvaanoda.
Kana chamupupuri chapfuura, wakaipa haachipo; Asi wakarurama ane nheyo dzisingaperi.
Sezvinoita vhininga pameno, noutsi pameso, Ndizvo zvakaita simbe kuna vanomutuma.
Kutya Jehovha kunowedzera mazuva; Asi makore owakaipa achatapudzwa.
Tariro yavakarurama mufaro; Asi kutarira kwavakaipa kuchaparadzwa.
Nzira yaJehovha inhare kunowakarurama; Asi ndiko kuparadzwa kuna vanoita zvakaipa.
Wakarurama haangatongozununguswi nokusingaperi; Asi vakaipa havangarambi vagere panyika.
Muromo wowakarurama unobudisa uchenjeri; Asi rurimi rune nhema ruchabviswa.
Miromo yowakarurama inoziva zvinofadza; Asi muromo wowakaipa unotaura zvine nhema.
11
Chiyero chinonyengedzera chi nonyangadza kuna Jehovha; Asi kurema kwakakwana kunomufadza.
Kana kuzvikudza kuchisvika, kunyadziswa kwasvikawo; Asi uchenjeri huri kuna vanozvininipisa.
Kusanyengedzera kwavakarurama kuchavatungamirira; Asi kusarurama kwavanonyengedzera kuchavaparadza.
fuma haibatsiri chinhu nezuva rokutsamwa; Asi kururama kunorwira parufu.
Kururama kwowakakwana kucharuramisa nzira yake; Asi wakaipa uchawiswa nezvakaipa zvake.
Kururama kwavakarurama kuchavarwira; Asi vanonyengedzera vachabatwa nezvakashata zvavo.
Kana munhu wakaipa achifa, zvaanotarira zvichaparadzwa; Tariro yavakashata inoparadzwa.
Wakarurama anorwirwa pakutambudzika; Wakaipa anopinda pachigaro chake.
Wakashata anoparadza wokwake nomuromo wake; Asi wakarurama acharwirwa nezivo.
Kana vakarurama vachipfuurira mberi zvakanaka, guta rinofara kwazvo; Kana vakaipa vachiparadzwa, kunopururudzwa.
Nokuropafadzwa kwavakarurama guta rinokudzwa; Asi rinoputswa nemiromo yavakaipa.
Anoninipisa wokwake anoshaiwa uchenjeri; Asi munhu ane njere anoramba anyerere.
Anofamba ana makuhwa, anobudisa zvakavanda; Asi ano moyo wakatendeka, anofukidza mhaka.
Kana vanhu vasingatungamirirwi nouchenjeri, vanoderera; Asi pavarairiri vazhinji ndipo panoruponeso.
Wakazviita rubatso pamusoro pomutorwa, achaona nhamo nokuda kwazvo; Asi anovenga kuzviita rubatso, ndiye wakasimba.
Mukadzi muuya anokudzwa; Vakasimba vanochengeta fuma dzavo.
Munhu ane ngoni, anoitira mweya wake zvakanaka; Asi asina tsitsi anotambudza nyama yake.
Wakaipa anopiwa mubayiro wokunyengedzera; Asi anokusha kururama achawana mubayiro wazvokwadi.
Kururama kwazvokwadi kunoisa kuupenyu; Asi anotevera zvakaipa, anovinga rufu rwake.
Vane moyo yakatsauka vanonyangadza Jehovha; Asi vanofamba nenzira yakarurama vanomufadza.
Zvirokwazvo, wakaipa haangakoni kurohwa; Asi vana vavakarurama vacharwirwa.
Sezvakaita chindori chendarama mumhino dzenguruve, Ndizvo zvakaita mukadzi wakanaka kumeso asina kungwara.
Zvinodikanwa navakarurama zvakanaka bedzi; Asi vakaipa vanomirirwa nokutsamwa.
Mumwe ariko anoparadzira, achiwedzerwa; Uye ariko anonyima zvaakafanira kupa, asi zvinongomushaisa.
Chipavhurire achakodzwa; Uye anodiridza achadiridzwawo.
Unonyima zviyo, vanhu vachamutuka; Asi mikomborero ichava pamusoro woanozvitengesa.
Anoshingairira zvinhu zvakanaka, anotsvaka zvinofadza; Asi anotsvaka zvakashata, achasvikirwawo nazvo.
Anovimba nefuma yake, achawa; Asi vakarurama vachanaka seshizha nyoro.
Anotambudza imba yake, achagara nhaka yemhepo; Benzi richava muranda woanomoyo wakachenjera.
Zvibereko zvowakarurama muti womupenyu; Unobata mweya yavanhu ndiye wakachenjera.
Tarirai, wakarurama achapiwa mubayiro panyika; Ndoda wakaipa nomutadzi!
12
Anoda kurairirwa, anoda zivo; Asi anovenga kurairwa ibenzi.
Munhu akanaka achawana nyasha kuna Jehovha, Asi achapa mhosva munhu ana mano akaipa.
Munhu haangasimbiswi nezvakaipa; Asi mudzi wowakarurama haungazununguswi.
Mukadzi anoita zvakanaka, ikorona yomurume wake; Asi anonyadzisa, wakaita sezvakaora pamapfupa ake.
Mifungo yowakarurama yakarurama; Asi mano avakaipa anonyengedzera.
Mashoko avakaipa ndookuvandira ropa; Asi muromo wavakarurama uchavarwira.
Vanhu vakaipa vanotsindikirwa, havachipo; Asi imba yavakarurama icharamba imire.
Munhu acharumbidzwa zvakaenzana nouchenjeri hwake; Asi ane moyo akatsauka, achazvidzwa.
Munhu anoninipiswa, ane muranda hake, Anopfuura anozvikudza, asina zvokudya.
Akarurama ane hanya noupenyu hwechipfuwo chake; Asi tsitsi dzowakaipa ihasha.
Anorima munda wake, achava nezvokudya zvizhinji; Asi anotevera zvisina maturo, anoshaiwa njere.
Akaipa anopanga zvaangapamba kuna vakashata; Asi mudzi wavakaipa unobereka zvibereko.
Pakudarika kwemiromo panomusungo wavakaipa; Asi akarurama achabuda panhamo
Munhu achagutiswa nezvakanaka zvinobva pazvibereko zvomuromo wake; Uye munhu achadzoserwa zvaakaita namaoko ake.
Nzira yebenzi yakanaka pakuona kwake; Asi akachenjera anoteerera kana achirairwa.
Kutsamwa kwebenzi kunozikanwa pakarepo; Asi akachenjera anovanza kunyadziswa kwake
munhu anoreva zvokwadi anoparidza zvakarurama; Asi chapupu chenhema chinoparidza kunyengedzera.
Mumwe ariko anotaura nokusarangarira zvinobaya somunondo; Asi rurimi rwowakachenjera runoporesa.
Muromo wezvokwadi uchasimbiswa nokusingaperi; Asi rurimi rune nhema runongogara chinguva chiduku.
Kunyengedzera kuri mumoyo yavanofunga mano akaipa, Asi vanorairira zvorugare vanomufaro.
Akarurama haangatongowirwi nechakaipa; Asi vakaipa vachazadzwa nezvakashata.
Miromo, ine nhema, inonyangadza Jehovha; Asi vanoita nokutendeka vanomufadza.
Munhu akachenjera anovanza zivo; Asi moyo yamapenzi inoparidza upenzi.
Ruoko rwavasine usimbe ruchabata ushe; Asi vane usimbe vachabatiswa chibharo.
Kutambudzika pamoyo womunhu kunouremedza; Asi shoko nyoro rinoufadza.
Akarurama anoperekedza wokwake zvakanaka; Asi nzira yowakaipa inovarashisa.
Simbe haibati mhuka yayamutsa, Asi kusava neusimbe ifuma yomunhu.
Panzira yakarurama ndipo panoupenyu; Kwainoenda hakuna rufu.
13
Mwanakomana akachenjera anoteerera kuraira kwababa vake; Asi mudadiri haanzwi kana achitukwa.
Munhu achadya zvakanaka zvinobva pazvibereko zvomuromo wake; Asi vanoita nokunyengedzera vanofarira kumanikidza.
Anorindira muromo wake, anochengeta hupenyu hwake; Asi anoshamisa miromo yake, achaparadzwa.
Mweya wesimbe unopanga, asi unoshaiwa; Asi mweya yavasina usimbe ichakodzwa.
Akarurama anovenga nhema; Asi akaipa, anonyangadza, achanyadziswa.
Kururama kunochengeta akarurama pakufamba kwake; Asi kuipa kunowisira mutadzi pasi.
Mumwe ariko anozviti ndiri mufumi, kunyange asina chinhu; Mumwe ariko unozviti ndiri murombo, asi ane fuma zhinji.
Rudzikunuro rwoupenyu hwomunhu ifuma yake; Asi murombo haanzwi kutyityidzira.
Chiedza chavakarurama chinopenya kwazvo; asi mwenje wavakaipa uchadzimwa.
Kuzvikudza kunongouyisa kukakavara; Asi uchenjeri huri kuna vanotenda kurairirwa.
fuma, yakawanikwa nokukurumidza, ichatapudzwa; Asi anounganidza noruoko, zvichawedzerwa kwaari.
Tariro kana ichinonoka, inoodza moyo; Asi kana chapangwa chosvika, ndiwo muti woupenyu.
Anozvidza Shoko, asungwa naro; Asi anotya murayiro, achapiwa mubayiro.
Kudzidzisa kwowakachenjera itsime roupenyu; Kuti munhu apukunyuke pamisungo yorufu.
Njere dzakanaka dzinouyisa kufarirwa navanhu; Asi nzira yavatadzi ihukutu.
Mumwe nomumwe, akangwara, anoita nokuziva, Asi benzi rinokusha upenzi hwarwo.
Nhume yakaipa inowira munjodzi; Asi munyai anotendwa anoporesa.
Urombo nokunyadziswa ndiwo mubayiro woanoramba kurairirwa; Asi anoteerera kurairwa achakudzwa.
Kana zvinodikanwa zvaitwa, zvinozipa pamweya; Asi mapenzi anonyangadzwa kana achisiyana nezvakashata.
Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; Asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.
Zvakaipa zvichatevera vatadzi; Asi vakarurama vacharipirwa nezvakanaka.
Munhu, akanaka, achasiyira vana vavana vake nhaka; Asi fuma yomutadzi inochengeterwa akarurama.
Munda womurombo ane zvokudya zvizhinji; Asi mumwe ariko anoparadzwa nokuda kwokusarurama.
Anorega shamhu anovenga mwanakomana wake; Asi anomuda, anomuranga zvakanaka.
Akarurama anodya kusvikira agutisa mweya wake; Asi dumbu rowakaipa richashaiwa.
14
Mukadzi mumwe nomumwe akachenjera anovaka imba yake; Asi benzi rinoiputsa namaoko aro.
Anofamba nokururama kwake, anotya Jehovha; Asi wakatsauka panzira dzake, anomudzidza.
Mumuromo webenzi mune shamhu yamanyawi; Asi miromo yavakachenjera inovachengeta.
Kana pasina nzombe, chidyiro hachine chiro; Asi zvibereko zvizhinji zvinouya nesimba renzombe.
Chapupu, chakatendeka, hachirevi nhema; Asi chapupu chenhema chinobudisa mashoko enhema.
Mudadi anotsvaka uchenjeri, asi hahupo; Asi zivo haitani kuwanikwa navane njere.
Ibva pamberi pebenzi, Nokuti haungawani miromo yezivo kwaari.
Uchenjeri hwomunhu akangwara ndiko kunzwisisa nzira yake; Asi hupenzi hwamapenzi hunonyengedzera.
Chibayiro chezvivi chamapenzi chinodadira; Asi pakati pavakarurama panokufarirana.
moyo mumwe nomumwe unoziva kutambudzika kwawo; Mweni haangagoverani nomufaro wawo.
Imba yowakaipa ichaparadzwa; Asi tende rowakarurama richafara zvakanaka.
Munhu anoona nzira achiti yakarurama; Asi kuguma kwayo inzira dzorufu.
Kunyange munhu angaseka hake, moyo ungava neshungu; Kuguma kwomufaro ndiko kuchema.
Ano moyo, anodzokera shure, achagutiswa nenzira dzake; Asi munhu akanaka achagutiswa nezvinobva maari.
Asina mano anotenda mashoko ose; Asi akangwara anongwarira mafambiro ake.
Akachenjera anotya zvakashata, achizvinzvenga; Asi benzi rinamanyawi, richizvitenda.
Anokurumidza kutsamwa, achaita noupenzi; Uye munhu, anofunga mano akaipa, achavengwa.
Vasina mano vanogara nhaka yohupenzi; Asi vakangwara vachadzikwa korona yezivo.
Vakashata vanogwadama pamberi pavakanaka; Navakaipa pamasuo avakarurama.
Murombo anovengwa kunyange nowokwake; Asi shamwari dzavafumi izhinji.
Anoshora wokwake, anotadza; Asi ane tsitsi navarombo, ane mufaro.
Ko vanofunga zvakaipa havarashiki here? Asi nyasha nezvokwadi ndezvavanofunga zvakanaka
Kubata kwose kune batsiro; Asi kungotaura nemiromo kunobereka kushaiwa.
Korona yavakachenjera ifuma yavo; Asi upenzi hwamapenzi upenzi zvahwo
Chapupu chakatendeka chinoponesa mweya yavanhu; Asi anoreva nhema anonyengedzera.
Pakutya Jehovha pane simbiso kwazvo Vana vowakadai vachava noutiziro.
Kutya Jehovha itsime roupenyu; Kuti munhu apukunyuke pamisungo yorufu.
Ukuru hwamambo hunoonekwa pakuwanda kwavanhu; Asi kuparadzwa kwashe kuri pakushaiwa vanhu.
Ano moyo murefu ane njere kwazvo; Asi anokurumidza kutsamwa anowedzera upenzi.
moyo wakagadzikana ndihwo upenyu hwomuviri; Asi godo rinoodza mapfupa.
Anomanikidza murombo, anozvidza Muiti wake; Asi ane tsitsi nomushaiwi, anomukudza.
Akaipa anowiswa pasi mukutadza kwake; Asi akarurama ane tariro pakufa kwake.
Uchenjeri hunogara pamoyo weane njere; Asi zviri mukati mamapenzi zvinozikanwa.
Kururama kunokurisa rudzi; Asi zvivi zvinonyadzisa kurudzi rupi norupi.
Mambo anofarira muranda, anoita nokuchenjera; Asi anonyadzisa achatsamwirwa naye.
15
Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa; Asi shoko rinorwadza moyo rinomutsa hasha.
Rurimi rwovakachenjera runobudisa zivo kwadzo; Asi muromo wamapenzi unodurura upenzi.
Meso aJehovha ari pose-pose; Achicherekedza vakaipa navakanaka.
Rurimi runyoro muti woupenyu; Asi rune nhema runoputsa mweya.
Benzi rinoramba kurairira kwababa varo; Asi une hanya nokurairwa, ndiye ane njere.
Mumba mowakarurama mune fuma zhinji; Asi kutambudzika kuri munezvinowanikwa nowakaipa.
Miromo yavakachenjera inokusha zivo; Asi moyo wamapenzi haudaro.
Chibayiro chavakaipa chinonyangadza Jehovha; Asi munyengetero wowakarurama unomufadza.
Nzira yowakaipa inonyangadza Jehovha; Asi anoda munhu anotevera kururama.
Kurangwa kwakaipa kunovinga munhu anosiya nzira; Anovenga kurairwa achafa.
Sheori noKuparadza zviri pamberi paJehovha; Ndoda moyo yavana vavanhu.
Mudadi haadi kurairwa; Anoramba kuenda kunowakachenjera.
moyo, wakafara, unofadza chiso; Asi mweya unoputsa nomoyo une shungu.
moyo woane njere unotsvaka zivo; Asi muromo wamapenzi unogutiswa noupenzi.
Mazuva ose omunhu, uri pakutambudzika, akaipa; Asi anomoyo wakafara anomutambo nguva dzose.
Zviri nani kuti munhu ave nezvishoma, achitya Jehovha, Pakuti ave nefuma yakawanda, achinyunyuta.
Zviri nani kuti munhu ave nezvokudya zvemiriwo, rudo ruripo, Pakuti ave nenzombe yakakodzwa, panembengo.
Munhu, ane hasha, anomutsa kukakavara; Asi anomoyo murefu anonyaradza gakava.
Nzira yesimbe yakaita soruzhowa rweminzwa; Asi nzira yavakarurama yakagadzirwa.
Mwanakomana akachenjera anofadza baba; Asi benzi rinoshora mai varo.
Upenzi hunofadza munhu anoshaiwa uchenjeri; Asi munhu wenjere anofamba achirurama.
Pasingaranganwi mano anokona; Asi kuna varairi vazhinji ndokwaanosimbiswa.
Munhu anofadzwa nemhinduro yakarurama yomuromo wake; Uye shoko, rinotaurwa nenguva yakafanira, rakanaka sei!
Nzira youpenyu yowakarurama inokwira kumusoro; Kuti apukunyuke paSheori pasi.
Jehovha achaparadza imba yavanozvikudza; Asi muganho wechirikadzi anousimbisa.
Mano akashata anonyangadza Jehovha; Asi mashoko akachena anomufadza.
Anokarira fuma, anotambudza imba yake; Asi anovenga zvipo, achararama.
moyo wowakarurama unombofunga chaangapindura; Asi muromo wowakaipa unodurura zvakaipa.
Jehovha ari kure navakaipa; Asi anonzwa munyengetero wavakarurama.
Meso anobwinya anofadza moyo; Mashoko akanaka, anobva kumwe, anokodza mapfupa.
Nzeve, inoteerera kuraira, kunoisa kuupenyu, Ichagara pakati pavakachenjera.
Anoramba kurairwa, anoshora mweya wake; Asi anoteerera kurairwa, anowana njere.
Kutya Jehovha kunodzidzisa uchenjeri; Uye kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.
16
Kurangarira kwomoyo ndokwomunhu; Asi mhinduro yorurimi inobva kuna Jehovha.
Nzira dzose dzomunhu anoti dzakanaka pakuona kwake; Asi Jehovha anoyera zvinangwa.
Isa mabasa ako ose kuna Jehovha, Zvawakarangarira zvigoitika.
Jehovha akaitira chinhu chimwe ,nechimwe basa racho; Zvirokwazvo kunyange nowakaipa wakaitirwa zuva rakaipa
mumwe nomumwe unomoyo unozvikudza, anonyangadza Jehovha Zvirokwazvo, haangakoni kurohwa.
Zvakaipa zvinodzikunurwa nenyasha nezvokwadi; Nokutya Jehovha vanhu vanobva pane zvakashata.
Kana nzira dzomunhu dzichifadza Jehovha, Anomuyananisira kunyange namapfumo ake.
Zviri nani kuva nezvishoma nokururama, Pakuva nefuma zhinji nokusarurama.
moyo womunhu anozvifungira nzira yake; Asi Jehovha anorairira kufamba kwake.
Miromo yamambo inotema zvirevo zvazvokwadi; Muromo wake haungaposhi pakutonga.
Chiyero nechienzaniso, chisinganyengeri, chinobva kuna Jehovha; Zviidzo zvose zvehombodo ibasa rake.
Zvinonyangadza kana madzimambo achiita zvakaipa; Nokuti chigaro choushe chinosimbiswa nokururama.
Madzimambo anofadzwa nemiromo yakarurama; Anotaura zvinhu zvakarurama anodikanwa naye.
Kutsamwa kwamambo kwakaita senhume dzorufu; Asi munhu akachenjera anokunyaradza.
Upenyu huri pakubwinya kwechiso chamambo; Kana achifarira munhu zvakaita segore remvura yokupedzisira.
Kuwana uchenjeri kunokunda sei kuwana ndarama; zviri nani kutsaura kuwana njere pakuwana sirivha.
Mugwagwa, wakapfumba, wavakarurama ndiko kubva pane zvakaipa; anochenjerera nzira yake anochengeta mweya wake.
Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa; Uye mweya wamanyawi unotangira kuwa.
Zviri nani kuva nomweya unozvininipisa pakati pavarombo pakugovana zvakapambwa navanozvikudza.
Anoteerera shoko,achawana zvakanaka Anovimba naJehovha,anomufaro.
Anomoyo wakachenjera achanzi akangwara;Uye miromo inotapira inowedzera dzidzo
Njere itsime roupenyu kuna vanadzo;Asi kuraira kwamapenzi hupenzi
Moyo wowakachenjera unodzidzisa muromo wake Uchawedzera dzidzo pamiromo yake
Mashoko, anofadza, akaita somusvi wouchi,Zvinotapira kumweya zvichiporesa mapfupa.
Munhu anoona nzira achiti yakarurama, asi kuguma kwayo inzira dzorufu.
Nzara yomubati inomubatira;nokuti muromo wake unomukurudzira.
Munhu asina maturo; anofungira vamwe zvakaipa; Pamiromo yake panomoto unopisa.
Munhu akatsauka anokusha kukakavara; Mucheri anoparadzanisa shamwari dzinodanana.
Munhu anomanikidza,anonyengedzera wokwake,Achimutungamirira panzira isina kunaka.
Munhu anotsinzina meso ake,Anozviita kuti afunge zvakatsauka ,Anorumana miromo yake anoita zvakashata.
Vhudzi rachena ikorona yakaisvnaka,Inowanikwa panzira yokururama.
Anomoyo murefu anopfuura ane simba; Anodzora mweya wako, anopfuura anotapa musha.
Mijenya inokandirwa panguvo dzechifuva;Asi zvirevo zvose zvinotemwa nayo zvinobva kuna Jehovha.
17
Chimedurwa chakaoma chechingwa norugare, Chinopfuura imba izere nezvakabayiwa nokukakavara.
Muranda, anoita nouchenjeri, angaraira mwanakomana anonyadzisa, Achidya nhaka pamwechete navana.
Hari yokunyausa ndeyesirivha, nevira nderendarama; Asi Jehovha anoidza moyo yavanhu.
Munhu, anoita zvakaipa, anoteerera miromo yakaipa; Murevi wenhema anorerekera nzeve yake kururimi rwakashata.
Ani naani anoseka murombo, anozvidza Muiti wake; Anofara pamusoro penjodzi yavamwe, haangakoni kurohwa.
Vazukuru ikorona yavatana; Kukudzwa kwavana ndiwo madzibaba avo.
Kutaura kwamanyawi hakufaniri benzi; Zvikuru kutaura kune nhema hakufaniri muchinda.
Fufuro yakaita sebwe rinokosha kana ichitarirwa nomwene wayo; Pose painoringira inofadza.
Munhu anofukidza kudarika kwomumwe, anotsvaka rudo; Asi anoramba achimutsa shoko, anoparadzanisa shamwari dzinodana.
Munhu ane njere anobayiwa nokutukwa Kupfuura benzi nokurohwa rune zana.
Munhu anomoyo wokumukira anongotsvaka zvakaipa; Asi achatumirwa nhume inomoyo mukukutu.
Zviri nani kuti munhu asangane nechikara chatorerwa vana, Pakuti asangane nebenzi paupenzi hwaro.
Ani naani anoripidzira zvakanaka nezvakaipa, Zvakaipa hazvingabvi paimba yake.
Kuvamba kwokukakavara kwakafanana nokudziurira mvura; Saka rega rukave, kurwa kusati kwasvika.
Anopembedza akaipa, noanopa wakarurama mhosva, Vose vari vaviri vanonyangadza Jehovha.
Mari iri muruoko rwebenzi neiko kuti ritenge uchenjeri, Zvarisina njere.
Shamwari inoda nguva dzose; Hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika.
Munhu anoshaiwa njere, ndiye anozvisunga noruoko rwake, Achizviitira wokwake rubatso.
Anoda kukakavara, anoda kudarika, Anokurisa suo rake, anotsvaka kuparadzwa.
Anomoyo usakarurama haawani zvakanaka; Ano rurimi rusakarurama anowira munjodzi.
Anobereka benzi achazonzwa shungu; Baba vebenzi havana mufaro.
moyo wakafara unobatsira munhu kupora; Asi mweya wakaputsika unowomesa mapfupa.
Munhu akaipa anogamuchira fufuro inobva muchipfuva, Kuti aminamise nzira dzokururamisira.
Uchenjeri huri pamberi poane njere, Asi meso ebenzi ari pamigumo yenyika.
Mwanakomana benzi anochemedza baba vake, Anoitira mai vakamubereka zvinovava.
Uye, kuranga akarurama hakuzakanaka, Nokurova vakuru nokuda kwokururama kwavo.
Anozvidzora pamashoko ake, ane zivo; Uye ane mweya wakagadzikana, munhu wenjere.
Kunyange nebenzi, kana rinyerere, ringanzi rakachenjera; Anobumira muromo wake, achanzi akangwara.
18
Anozviparadzanisa navamwe, anongotsvaka kuda kwake, Anorwa nohuchenjeri hwose kwahwo.
Benzi harifariri kunzwisisa, Asi kuti moyo waro ufukurwe.
Kana akaipa achisvika, kuzvidza kwasvikawo; Pamwechete nezvinonyadzisa, kushora kunouyawo.
Mashoko omuromo womunhu akaita semvura yakadzika; Sorukova runoyerera, setsime rouchenjeri.
Kutsaura akaipa hazvina kunaka; Kana kuramba akarurama pakutonga.
Miromo yebenzi inouyisa kukakavara; Muromo waro unodana kurohwa.
Muromo webenzi ndiko kuparadzwa kwaro; Miromo yaro musungo womweya waro.
Mashoko omucheri akaita sezvimedu zvinozipa, Zvinoburukira mukati-kati momuviri.
Naiye ane usimbe pakubata kwake, Munununa womuparadzi.
Zita raJehovha inhare yakasimba; Wakarurama anovangiramo ndokuchengetwa.
fuma yomufumi ndiwo musha wake wakasimba, Uye sorusvingo rurefu pakufunga kwake.
moyo womunhu anozvikudza kuparadzwa kusati kwasvika; Kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.
Anopindura asati anzwa, Zvichava kwaari upenzi nokunyadziswa.
Mweya womunhu unomusimbisa pakurwara kwake; Asi mweya wakaputsika ungamutswa nani?
moyo wowakachenjera unowana zivo; Nzeve yowakachenjera inotsvaka zivo.
Chipo chomunhu chinomuwanira nzvimbo, Chinomuisa pamberi pavakuru.
Anotanga kutambirwa mhaka yake anenge akarurama , Asi wokwake anosvika womuferefeta.
Mijenya inogumisa kukakavara; Inotema chirevo pakati pavane simba.
Hama yatadzirwa inopfuura guta rakasimba; Kukakavara kwakafanana nezvipfigiso zveimba yamambo.
Dumbu romunhu rinogutiswa nezvibereko zvomuromo wake; Achagutiswa nezvakawanda zvemiromo yake.
Rurimi rune simba pamusoro porufu noupenyu; Vanoruda vachadya zvibereko zvarwo.
Awana mukadzi awana chinhu chakanaka, Avigirwa nyasha naJehovha.
Murombo anokumbira achinyengetera; Asi mufumi anopindura nehasha.
Munhu ane shamwari zhinji anoparadzwa; Asi shamwari iriko inonamatira kupfuura hama.
19
Murombo, anofamba muzvokwadi yake, Anopfuura ane miromo isakarurama, iri benzi.
Uye, kushingaira kusine zivo hakuna kunaka; Anokurumidza namakumbo ake anorasha nzira.
Upenzi hwomunhu hunokanganisa nzira yake; moyo wake unotsamwira Jehovha.
fuma inouyisa shamwari zhinji; Asi murombo anosiyiwa neshamwari yake.
Chapupu chenhema hachingakoni kurohwa; Anoreva nhema haangapukunyuki.
Vazhinji vachatsvaka nyasha yomunhu anopavhurira; Munhu mumwe nomumwe ishamwari yoanopa zvipo.
Hama dzose dzomurombo dzinomuvenga; Zvikuru shamwari dzake dzinoparadzana naye! Anovatevera namashoko, asi vaenda!
Anowana huchenjeri, anoda hupenyu hwake; Anochengeta njere, achawana zvakanaka.
Chapupu chenhema hachingakoni kurohwa; Anoreva nhema achaparadzwa.
Kugara pakati pezvakanaka hazvifaniri benzi; Ndoda sei kuti muranda ave ishe wamachinda.
Kungwara kwomunhu kunodzora kutsamwa kwake; Kukudzwa kwake ndiko kukanganwira kudarika kwomumwe.
Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba; Asi nyasha dzake dzakaita sedova riri pauswa.
Mwanakomana benzi inhamo yababa vake; Uye kukakavara kwomukadzi kudonha kusingaperi kwemvura.
Dzimba nefuma inhaka inobva kuna madzibaba; Asi mukadzi akangwara anobva kuna Jehovha.
Usimbe hunowisira munhu pahope huru; Munhu asingabati achafa nenzara.
Anochengeta murayiro, anochengeta upenyu hwake; Asi asina hanya nenzira dzake achafa.
Anonzwira varombo tsitsi, anoposana naJehovha; Achamuripira basa rake rakanaka.
Ranga mwanakomana wako, nokuti tariro ichipo; Usatsvaka kumuuraya.
Munhu ane hasha zvikuru acharohwa; Nokuti kana uchimurwira, unongozvinyanyisa.
Teerera kana uchirairirwa, unzwe kana uchidzidziswa, Kuti pashure ugova wakachenjera.
Mumoyo womunhu mune ndangariro zhinji; Asi kurairira kwaJehovha ndiko kuchamira.
Munhu anodikanwa nokuda kwounyoro hwake; Murombo urinani pamurevi wenhema.
Kutya Jehovha kunoisa kuupenyu; Unako, uchavata zvakanaka, Haangavingiwi nezvakaipa.
Simbe inopinza ruoko rwayo mundiro, isingadi kutongorudzosera kumuromo wayozve..
Rova mudadi, ipapo asina mano achazvingwarira; Raira ane njere, ipapo achanzwisisa zivo.
Anoitira baba vake simba, nokudzinga mai vake, Mwanakomana unonyadzisa nokuita zvinonyadza.
Mwanakomana wangu, rega kuteerera kana uchidzidziswa, Kana uchida hako kutsauka pamashoko ezivo.
Chapupu chisina maturo chinodada nokururama; Muromo wavakaipa unomedza zvakaipa.
Kutongwa kwakagadzirirwa vadadi; Neshamhu misana yamapenzi.
20
Waini mudadi, doro mupopoti; Ani naani anobatwa nazvo, haana kuchenjera.
Kuvhundusa kwamambo kwakaita sokuomba kweshumba; Anomutsamwisa, anozvitadzira hupenyu hwake.
Munhu anokudzwa kana achigara kure nokukakavara; Asi benzi rimwe nerimwe rinokakavara.
Simbe hairimi kana kune chando; Saka kana achitsvaka zvibereko pakucheka, hazvipo.
Mano mumoyo womunhu angaita semvura yakadzika; Asi munhu wenjere achaichera.
Vanhu vazhinji vanowana munhu anovaitira chinhu chakanaka, Asi ndiani angawana munhu akatendeka?
Munhu akarurama, anofamba muzvokwadi yake, Vana vake vanomutevera vacharopafadzwa.
Mambo, anogara pachigaro chokutonga, Anodzinga zvakaipa zvose nameso ake.
Ndiani angati, Ndachenesa moyo wangu Ndanatswa zvivi zvangu?
Zviidzo zvakasiyana, nezviyero zvakasiyana, Izvozvo zvose zvinonyangadza Jehovha.
Kunyange nomwanakomana anozvizivisa nezvaanoita, Kana basa rake rakanaka, kana rakarurama.
Nzeve, inonzwa, neziso, rinoona, Jehovha akazviita zvose.
Usada hope, kuti urege kuzova murombo; Svinudza meso ako, kuti ugogutiswa nezvokudya.
Chakaipa, chakaipa! Ndizvo zvinoreva mutengi; Asi kana woenda wozvirumbidza.
Ndarama iriko, nekorari zhinji; Asi miromo yezivo ndicho chinhu chinokosha kwazvo.
Mutorerei nguvo yake, iye wakazviita rubatso kumutorwa; Ngaave rubatso rwavatorwa.
Munhu anoti zvokudya zvenhema zvakanaka, Asi pashure muromo wake uchazara nejecha.
Mano anobva pakurangana; Urwe pfumo wamborairirwa nohuchenjeri.
Anofamba ana makuhwa, anobudisa zvakavanda; Saka usashamwaridzana nomunhu anoshamisa miromo yake.
Anotuka baba vake kana mai vake, Mwenje wake uchadzimwa parima rakasviba.
Nhaka, yakawanikwa nokukurumidza pakutanga, Haingaropafadzwi pakupedzisira.
Usati, Ndachatsiva zvakaipa; Mirira Jehovha, iye achakuponesa.
Zviidzo, zvakasiyana, zvinonyangadza Jehovha; Nechiyero chinonyengedzera hachina kunaka.
Kufamba kwomunhu kunobva kuna Jehovha; Zvino munhu anganzwisisa seiko nzira yake?
Musungo kumunhu kupika achiti, Chitsvene! Asina kumborangarira, Ndokuzofungisisa ambopika.
Mambo akachenjera anozungura. vakaipa, Achivapura nomupuro.
Mweya womunhu mwenje waJehovha; Anonzvera zvose zviri mukati-kati.
Rudo nokutendeka zvinochengeta mambo; Chigaro chake choushe chinotsigirwa norudo.
Majaya anokudzwa nokuda kwesimba rawo; Ukomba hwavatana ndiyo misoro yakachena.
Kurohwa kunokuvadza kunonatsa zvakaipa; Kurohwa kunopinda mukati-kati.
21
moyo wamambo uri muruoko rwaJehovha sehova dzemvura; Anoufambisa sezvaanoda.
Nzira ipi neipi yomunhu anoti yakarurama pakuona kwake; Asi Jehovha anoyera moyo.
Kuita zvakarurama nokururamisira Zvinofadza Jehovha kupfuura chibayiro.
Kutarira kwamanyawi nomoyo unozvikudza, Icho chiedza chavakaipa, zvivi.
Ndangariro dzavashingairi dzinouyisa zvizhinji; Asi ani naani anokurumidzisa anongovangira kushaiwa.
Kuunganidza fuma norurimi runorevha nhema Imhute inodzingwa kwose-kwose navanotsvaka rufu.
Kumanikidza kwavakaipa kunovaparadza, Nokuti vanoramba kuita zvakarurama.
Nzira yomunhu ane mhosva yakaminama kwazvo; Asi kana ari akachena, kuita kwake kwakarurama.
Zviri nani kugara pakona redenga, Pakugara muimba imwe nomukadzi anokakavara.
Mweya wowakaipa unoda zvakaipa; Wokwake haawani nyasha kwaari.
Kana mudadi achirangwa, asina mano achava nouchenjeri; Kana wakachenjera achidzidziswa, anogamuchira
Akarurama anocherekedza imba yowakaipa; Anowisira vakaipa mukuparadzwa.
Anodzivira nzeve yake, kuti arege kunzwa kuchema kwomurombo, Iyewo achachema, asi haanganzwiki.
chipo chinopiwa pakavanda, chinonyaradza hasha, Nechipiwa, chiri muchipfuva, kutsamwa kukuru.
Kuita zvakarurama ndiwo mufaro kunowakarurama; Asi vaiti vezvakaipa vanoparadzwa nako.
Munhu, anotsauka panzira yenjere, achandozorora muungano yavakafa.
Anofarira zvinofadza, achava murombo; Anofarira waini namafuta haangafumi.
Akaipa idzikunuro yowakarurama; Anoita nokunyengedzera anopinda panzvimbo yowakarurama.
Zviri nani kugara murenje, Pakugara nomukadzi anokakavara noanonetsa.
Mumba mowakachenjera mune fuma inokosha namafuta, Asi benzi rinozvipedza.
Munhu, anotsvaka kururama nounyoro, Anowana upenyu, nokururama, nokukudzwa.
Munhu akachenjera anokwira muguta ravane simba, Achiwisira pasi nhare yavanovimba nayo.
Ani naani anochengeta muromo wake norurimi rwake, Anochengeta mweya wake pamatambudziko.
Munhu, anozvikudza ana manyawi, mudadi ndiro zita rake; Anoita namanyawi okuzvikudza kwake.
Kuda kwoane usimbe kunomuuraya; Nokuti maoko ake anoramba kubata basa.
Zuva rose anoramba achingochiva; Asi akarurama anopa asingarambi.
Chibayiro chowakaipa chinonyangadza; Ndoda kana achiuya nazvo kuyananisira zvakaipa.
Chapupu chenhema chichaparadzwa; Asi munhu unoteerera, acharamba achitaura.
Munhu akaipa ane chiso chisinganyari; Asi kana ari akarurama anogadzira nzira dzake.
Hakuna uchenjeri, kana njere, Hakuna mano angakunda Jehovha.
Bhiza rinogadzirirwa zuva rokurwa, Asi kukunda kunobva kuna Jehovha.
22
Zita rakanaka rinofanira kutsanangurwa kupfuura fuma zhinji; Uye kudikanwa kupfuura sirivha nendarama.
Vafumi navarombo vanosangana pamwechete; Jehovha ndiye muiti wavo vose.
Munhu akangwara anoona zvakaipa, ndokuvanda; Asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.
Mubayiro wokuzvininipisa nokutya Jehovha Ifuma nokukudzwa noupenyu.
Minzwa nemisungo zviri panzira yousakarurama; Asi anochengeta mweya wake achagara kure nazvo.
Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, Ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.
Mufumi anobata ushe pamusoro pomurombo; Anotora chikwerete, muranda, wowakamupa chikwerete.
Unodzvara zvakaipa, uchacheka dambudziko; Shamhu yokutsamwa kwake ichanyangarika.
Ane moyo munyoro acharopafadzwa; Nokuti anopa varombo zvokudya zvake.
Dzinga mudadi, kukakavara kugoendawo; Nenharo nokunyadzwa zvichaguma.
Anoda kuchena kwomoyo, Neane miromo inofadza, mambo achava shamwari ake.
Meso aJehovha anochengeta ane zivo; Asi achakonesa mashoko omunhu anonyengedzera.
Simbe inoti, Kune shumba kunze, Ndingaurawa pakati penzira dzomumusha.
Muromo wavakadzi vokumwe igomba rakadzika; Anotsamwirwa naJehovha achawiramo.
Upenzi hunonamatira mumoyo womwana; Asi shamhu yokurairira ichahudzingira kure naye.
Anomanikidza murombo, anomufumisa; Anopa mufumi zvipo, anongomushaisa.
Rerekera nzeve yako, unzwe mashoko owakachenjera, moyo wako urangarire zivo yangu.
Nokuti chinhu chakanaka, kana uchigara nazvo mukati mako, Ngazvigare pamwechete pamiromo yako.
Ndakakuzivisa, iyewe, izvozvo nhasi, Kuti uvimbe naJehovha.
Handina kukunyorera mashoko akaisvonaka here, Okurairira nezivo here?
Kuti uziviswe kwazvo mashoko ezvokwadi, Kuti udzosere mashoko ezvokwadi kuna vanokutuma here?
Usatorera murombo, nokuti murombo; Usamanikidza anotambudzika pasuo;
Nokuti Jehovha achavarwira pamhaka dzavo, Nokutadzira upenyu hwavanovatadzira.
Usashamwaridzana nomunhu anotsamwa; Usafambidzana nomunhu ane hasha;
Kuti urege kudzidza tsika dzake, Uteyire mweya wako musungo.
Usava mumwe wavanozvisunga noruoko, Kana vakazviita rubatso nokuda kwechikwereti.
Kana usina chaungaripa nacho, Uchagokutorereiko nhovo dzako pasi pako?
Usabvisa muganho wekare, Wakaiswapo namadzibaba ako.
Unoona munhu anoshingaira pabasa rake here? Achamira pamberi pamadzimambo; Haangamiri pamberi pavanhu vasingazikanwi.
23
Kana ukagara pakudya chete nomubati, Cherekedza zvakanaka zviri pamberi pako;
Uzvigure huro dzako, Kana uri munhu wamadyo
Usapanga zvinozipa zvake, Nokuti zvokudya izvo zvinonyengedzera.
Usazvinetsa kuwana fuma; Rega huchenjeri hwako.
Unoda kuzvitarira nameso ako? Zvaenda! Nokuti zvirokwazvo fuma inozviitira mapapiro, Segondo rinobhururukira kudenga
Usadya zvokudya zvomunhu anoruchiva; Kana kupanga zvinozipa zvake.
Nokuti sezvaanofunga mumoyo make, ndozvaakaita; Anoti kwauri, Chidya, chinwa; , Asi moyo wake haune hanya newe.
Musuva wawadya, uchaurutsazve, Ukarashikirwa namashoko ako akanaka.
Usataura paunonzwikwa nebenzi; Nokuti richazvidza uchenjeri hwamashoko ako.
Usabvisa muganho wekare; Uye usapinda paminda yenherera;
Nokuti Mudzikunuri wavo ane simba; Iye uchavarwira pamhaka dzavo newe.
moyo wako ushingaire kudzidziswa, Nenzeve dzako kunzwa mashoko ezivo.
Usarega kuranga mwana; Nokuti kunyange ukamurova neshamhu, haangafi.
Umurove neshamhu, Ugorwira mweya wake paSheori.
Mwanakomana wangu, kana moyo wako wochenjera, Nomoyo wangu uchafarawo.
Zvirokwazvo, itsvo dzangu dzichafarisisa, Kana miromo yako ichitaura zvinhu zvakarurama.
moyo wako ngaurege kugodora vatadzi; Asi utye Jehovha mazuva ose.
Nokuti zvirokwazvo mubayiro uripo; Chawakatarira hachingaparadzwi.
Inzwa, iwe mwanakomana wangu, uchenjere, Ururamise moyo wako munzira.
Usava pakati pavanokarira waini, Pakati pavanokarira nyama.
Nokuti munwi neane madyo vachava varombo; Hope dzichapfekedza munhu mamvemve.
Teerera baba vako vakakubereka; Usazvidza mai vako kana vachembera.
Tenga zvokwadi, urege kuzoitengesazve; Uye tenga uchenjeri nedzidzo nenjere.
Baba vovakarurama vachafara kwazvo; Uye akabereka mwana akachenjera, achafadzwa naye.
Baba vako namai vako ngavafare, Mai vakakubereka ngavafare kwazvo.
Mwanakomana wangu, ndipe moyo wako; Meso ako ngaafarire nzira dzangu.
Nokuti chifeve igoronga rakadzika; Nomukadzi wokumwe gomba rakamanikana.
Zvirokwazvo anovandira segororo; Anowedzera vanyengedzeri pakati pavanhu.
Ndiani anoti, Haiwa! Ndiani, anoti, Maiwe! Ndiani anokukakavara? Ndiani anokuchema? Ndiani anemavanga pasina mhaka? Ndiani ane meso akatsvuka?
Ndivo vanogarisa pawaini; Ivo vanondotsvaka waini yavhenganiswa.
Usatarira waini kana yakatsvuka, Kana ichivaima mumukombe, Kana ichitapira pakunwiwa.
Pakupedzisira inoruma senyoka, Inobaya semvumbi.
Meso ako achaona zvisingazikanwi, moyo wako uchabudisa zvisakarurama.
Zvirokwazvo uchava somunhu avete pasi mukati megungwa, Kana soavete pamusoro pedanda rechikepe.
Uchati, Vakandirova, asi handina kurwadziwa, Vakandirova, asi handina kuzvinzwa; Ndichapepuka rinhiko? Ipapo ndichandoitsvakazve.
24
Usagodora vanhu vakaipa; Usashuva kuva pakati pavo.
Nokuti moyo yavo inorangarira kuparadza; Nemiromo yavo inotaura zvakashata.
Imba inovakwa nouchenjeri; Inosimbiswa nenjere.
Nezivo dzimba dzomukati dzinozadzwa Nefuma yose inokosha inofadza.
Munhu akachenjera ane simba; Zvirokwazvo, munhu wezivo anowedzera simba
Nokuti anofanira kurwa pfumo amborairirwa nouchenjeri; Asi kuna varairiri vazhinji ndiko kune ruponeso.
Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi; Harishamisi muromo waro padare.
Anorangarira kuita zvakaipa, Achanzi navanhu mwene wezvakashata.
Mufungo woupenzi zvivi; Mudadi anonyangadza vanhu.
Kana ukapera simba nezuva rokutambudzika, Simba rako ishoma.
Rwira vanoiswa kurufu; Novourawa usarega kuvadzosa.
Kana ukati, Tarirai, hatina kuzviziva; Ko iye anoidza moyo, haazvioni here? Naiye anochengeta mweya wako, haazvizivi here? Ko iye haangapi mumwe nomumwe zvakaenzana nebasa rake here?
Mwanakomana wangu, idya uchi, nokuti hwakanaka; Nomusvi unozipa pamukanwa wako.
Uchaona kuti ndizvo zvichaita uchenjeri kumweya wako; Kana wahuwana, mubayiro uchavapo, Nezvawakatarira hazvingaparadzwi.
Iwe munhu akaipa, usavandira panogara wakarurama; Usaparadza paanozorora.
Nokuti munhu akarurama angawa kanomwe, achisimukazve; Asi vakaipa vanowisirwa pasi nenjodzi.
Usafarisisa kana muvengi wako achiwa; Kana achiwisirwa pasi, moyo wako ngaurege kufara.
Kuti Jehovha arege kuzviona, zvisamufadza, Akazodzora kutsamwa kwake kwaari.
Usatsamwa nokuda kwavaiti vezvakaipa; Uye usagodora vakaipa.
Nokuti munhu akaipa haana mubayiro; Mwenje wakaipa uchadzimwa.
Mwanakomana wangu, itya Jehovha namambo; Usafambidzana navanongosishanduka.
Nokuti nhamo yavo ichamuka pakarepo; Nokuguma kwamakore avo, ndiani achazviziva?
Zvirevo izviwo zvakabva kuna vakachenjera, Kutsaura vanhu pakutonga hazvina kunaka
Anoti kune wakaipa, Akarurama, Vanhu vachamutuka, nendudzi dzichamusema.
Asi vanomuraira, vachaitirwa zvakanaka; ropafadzo yakanaka ichauya pamusoro pavo.
Anopindura namashoko akarurama, anotsvoda nemiromo.
Gadzira basa rako kunze, Uzvigadzirire iro pamunda; Pashure ugovaka imba yako.
Usava chapupu chinopomera wokwako asina mhosva; Usanyengedzera nemiromo yako.
Usati, Sezvaakandiitira, ndizvo zvandichamuitirawo; Ndicharipira munhu sezvaakaita iye.
Ndakapfuura napamunda wesimbe, Napamunda wemizambiringa womunhu anoshaiwa njere;
Tarirai, akanga angomera minzwa chete; Munda wose wakanga wakafukidzwa norukato, Norusvingo rwawo rwamabwe rwakanga rwakoromoka.
Ipapo ndakacherekedza, ndikanatsofunga; Ndakaona, ndikadzidziswa.
Kumbovata zvishomanene, kumbotsumwaira zvishomanene, Kumbofungatira maoko zvishomanene, ndizorore;
Saizvozvo urombo hwako huchasvika segororo, Nokushaiwa kwako somunhu akashonga nhumbi dzokurwa.
25
Izvowo ndizvo zvirevo zvaSoromoni, zvakanyorwa navanhu vaHezekia mambo wavaJudha,
Ndiko kukudzwa kwaMwari kuti avanze chinhu; Asi kukudzwa kwamadzimambo ndiko kuti vanzvere mhosva.
Kukwirira kwedenga, nokudzika kwenyika, Nemoyo yamadzimambo hazvibviri kunzverwa.
Bvisa marara pasirivha, Muumbi agobudisirwa hari.
Bvisa akaipa pamberi pamambo, Chigaro chake choushe chisimbiswe nokururama.
Usava namanyawi pamberi pamambo; Usamira panzvimbo yavakuru.
Nokuti zviri nani kuti vati kwauri, Kwira pano, Pakuti uninipiswe pamberi pomuchinda. Wawaona nameso ako
Usakurumidza kundoita nharo; Nokuti uchazodini pashure, Kana wokwako akunyadzisa?
Rangana nowakaipa pamusoro pemhosva iri pakati penyu, Asi usareurura zvakavanzika zvomumwe;
Kuti mumwe anozvinzwa arege kukutuka, Gungwa rako rikasaguma.
Shoko rinotaurwa nenguva yakafanira, Rakafanana namatamba endarama mumidziyo yesirivha.
Murairi akachenjera panzeve inoteerera, Zvakafanana nechindori chenzeve chendarama noukomba hwendarama yakaisvonaka.
Nhume yakatendeka kuna vanoituma yakafanana nokutonhorera kwechando panguva yokucheka; nokuti anoponesa mweya yavatenzi vayo.
Munhu anozvirumbidza pamusoro pechipo chenhema, Akafanana namakore nemhepo zvisina mvura.
Mubati anokundwa kana achiitirwa moyo murefu, Uye rurimi runyoro runovhuna mapfupa.
Wawana uchi here? Chidya hunokuringana, Kuti urege kuzvimbirwa nahwo, ukahurutsa.
Rutsoka rwako ngarurege kuwanza kupinda paimba yowokwako; Arege kuzoneta newe, akakuvenga.
Munhu anopupurira wokwake nhema, Akafanana netsvimbo, nomunondo, nomuseve unopinza.
Kutenda munhu asina kutendeka panguva yenhamo, Kwakafanana nezino rakagurika norutsoka rwakashodoka.
Somunhu anobvisa nguvo kana kuchitonhora, uye sevhiniga kana ichiiswa pasoda, Ndizvo zvakaita munhu anoimbira moyo unorwadza nziyo.
Kana muvengi wako ane nzara, umupe zvokudya adye; Kana ane nyota, umupe mvura anwe.
Nokuti uchatutira mazimbe omoto pamusoro wake, Uye Jehovha achakuripira.
Mhepo inobva kuchamhembe inouyisa mvura; Saizvozvo rurimi runa makuhwa runouyisa chiso chakatsamwa.
Zviri nani kugara pakona redenga, Pakugara muimba imwe nomukadzi unokakavara.
Shoko rakanaka, rinobva kunyika iri kure, Rakafanana nemvura inotonhorera kumweya ane nyota.
Munhu akarurama, anozununguka pamberi pavakaipa, Akafanana netsime rakabvongodzwa nechitubu chine tsvina.
Hazvina kunaka kudya uchi huzhinji; Asi kunzvera zvinorema ndiko kukudzwa.
Munhu asingadzori mweya wake, Akafanana neguta rakaputswa, risina rusvingo.
26
Sezvakaita chando muzhizha, uye sezvakaita mvura mukucheka, Saizvozvo kukudzwa hakufaniri benzi.
Sezvinoita shiri pakupaparika kwayo, nenyenganyenga pakubhururuka kwayo, Saizvozvo kutuka pasina mhosva hakuitiki.
Tyava yakaitirwa bhiza, namatomu mbongoro, Neshamhu musana wamapenzi.
Usapindura benzi noupenzi hwaro, Kuti urege kufanana naro.
Pindura benzi noupenzi hwaro, Kuti rirege kuti rakachenjera.
Anotuma shoko noruoko rwebenzi, Unozvigura tsoka, nokunwa kutambudzika.
Makumbo echirema anongoremberera; Ndizvo zvakaita chirevo mumuromo webenzi.
Somunhu anosungira ibwe pachifuramabwe, Ndizvo zvakaita iye anokudza benzi.
Sezvinoita minzwa muruoko rwomukariri wedoro, Ndizvo zvakaita chirevo mumuromo webenzi
somupfuri wemiseve, unopfura zvose, Ndizvo zvakaita munhu anosevenzesa benzi neanosevenzesa vafambi.
Sembwa inodzokera kumarutsi ayo, Ndizvo zvakaita benzi rinopamhidza upenzi hwaro.
Unoona munhu anoti ndakachenjera here? Benzi riri nani kuna iye!
Simbe inoti, Kune shumba panzira; Shumba iri munzira dzomumusha.
Gonhi rinotendereka pamahinji aro; Ndizvo zvinoita simbe panhovo dzayo.
Simbe inopinza ruoko rwayo mundiro, Ino usimbe kurudzoserazve kumuromo wayo.
Simbe inozviti ndakachenjera Kupfuura vanhu vanomwe vanogona kupindura nenjere.
Somunhu anobata imbwa nenzeve dzayo, ichingopfuura hayo, Ndizvo zvakaita munhu anozvipinza pagakava raasina mhosva naro.
Somupengo anokanda zvitsiga, Nemiseve, nezvinouraya,
Ndizvo zvinoita munhu anonyengedzera wokwake, Achiti, Ndinongoita zvangu jee!
Moto unodzima nokushaiwa huni; Uye kana kusina mucheri, gakava rinopera.
Sezvakaita mazimbe pazvitsiga zvinopfuta, nehuni pamoto, Ndizvo zvakaita munhu wegakava pakupfutidza rukave.
Mashoko omucheri akaita sezvimedu zvinozipa, Zvinoburukira mukati-kati momuviri.
Miromo inopisa norudo pamwechete nomoyo wakaipa, Zvakafanana nomudziyo wevhu wakanamirwa namarara anobva pasirivha.
Muvengi anonyengedzera nemiromo yake, Asi anovanza kunyengedzera mumoyo make.
Kana achitaura zvinonaka, usamutenda; Nokuti mumoyo make mune zvinonyangadza zvinomwe.
Kunyange kuvenga kwake kuchizvivanza nokunyengedzera, Kushata kwake kuchabudiswa pachena pamberi peungano.
Ani naani anochera gomba, achawiramo iye; Anokungurusa ibwe, richadzokera pamusoro pake.
Rurimi rwenhema runovenga akuvadzwa narwo; Nomuromo unobata kumeso unoparadza.
27
Usazvirumbidza pamusoro pezuva ramangwana; Nokuti hauzivi chaungavigirwa nezuva rimwe.
Mumwe ngaakurumbidze, urege kuva muromo wako; Ngaave mweni, irege kuva miromo yako.
Ibwe rinorema, uye jecha rinorema; Asi kutsamwa kwebenzi kunokurira zvose nokurema.
Hasha dzinokuvadza, uye kutsamwa kunokukura; Asi ndiani angamira pamberi pegodo.
Kurairwa pachena kunopfuura Rudo rwakavanzwa.
Mavanga anotemwa neshamwari angatendwa, Asi kutsoda kwomuvengi kunonyengedza.
Mweya wakaguta unotsika pasi musvi wouchi; Asi mweya une nzara unoti zvose zvinozipa kunyange zvichivava.
Seshiri inoburuka ichienda kure nedendere rayo, Ndizvo zvakaita munhu anofamba-famba kure napaanogara.
Mafuta nezvinonhuwira zvinofadza moyo; Ndizvo zvinoitawo kunaka kwoushamwari hwomunhu kunobva pakuyanana kwemweya.
Usasiya shamwari yako neshamwari yababa vako; Usaenda kumba kwomunununa wako nezuva renhamo yako; Wokwako, ari pedo, anopfuura munununa uri kure,
Mwanakomana wangu, iva wakachenjera, ufadze moyo wangu; Kuti ndigone kupindura anondishora.
Munhu akangwara anoona zvakaipa, ndokuvanda; Asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.
Munhu anozviita rubatso kumutorwa, umutorere nguvo yake; Umuite rubatso iye akazviita rubatso kumukadzi wokumwe.
Anoropafadza shamwari yake nenzwi guru, achifumira mangwanani, Achanzi wakatukwa pamusoro pazvo.
Kudonha kusingaperi pazuva remvura zhinji Nomukadzi anokakavara, zvakafanana.
Anoda kumudzivisa, anodzidzisa mhepo; Ruoko rwake rworudyi rwakabata mafuta.
Simbi inorodza simbi; Saizvozvo munhu anorodza chiso cheshamwari yake.
Ani naani anochengeta muonde, achadya zvibereko zvawo; Anochengeta tenzi wake, achakudzwa.
Chiso sezvachinotarisana nechiso mumvura, Saizvozvo moyo womunhu unotarisana nomunhu.
Sheori neAbhadhoni hazvitongoguti; Nameso omunhu haaguti.
Hari yokunyausa ndeyesirivha, nevira nderendarama; Saizvozvo munhu anozikanwa nezvaanofarira.
Kunyange ukatswa benzi muduri nomutsi pakati pezviyo zvinotsiwa, Hupenzi hwaro hahungabvi kwariri.
Shingaira uzive kuti makwai ako akadini; Uchengete zvakanaka mapoka ako.
Nokuti fuma haigari nokusingaperi; Ko korona inogara kusvikira kumarudzi ose here?
Uswa hunoenda bumhudza ndokubuda, Nemiriwo yamakomo inovunganidzwa.
Makwayana anokuvigira zvokufuka zvako, Uye mbudzi ndiwo mutengo weminda.
Mukaka wembudzi ucharingana zvokudya zvako, nezvokudya zveimba yako, Nokuraramisa varandasikana vako.
28
Akaipa anotiza kusina anodzingana naye; Asi vakarurama vanotsunga moyo seshumba.
Nemhaka yokudarika kwenyika, machinda ayo anowanda; Asi nomumwe, ane njere nezivo, icharamba iripo.
Munhu anoshaiwa amene, anomanikidza varombo, Akafanana nemvura inokukura, isingasiyi zvokudya.
Vanosiya murayiro, vanorumbidza vakaipa; Asi vanochengeta murayiro, vanoita nharo navo.
Vanhu vakashata havanzwisisi zvakarurama; Asi vanotsvaka Jehovha vanonzwisisa zvose.
Murombo, anofamba muzvokwadi yake, Anopfuura asakarurama anofamba nenzira mbiri, kunyange akafuma.
Anochengeta murayiro, mwanakomana akachenjera; Asi anofambidzana navanhu vana madyo, vanonyadzisa baba vake.
Anowedzera fuma yake nemhindu kana nokuwedzera kusakarurama, Anounganidzira mumwe achava netsitsi navarombo.
Anoramba kunzwa murayiro nenzeve yake, Kunyange nomunyengetero wake anonyangadza.
Ani naani anorashisa vakarurama vafambe nenzira yakaipa, Achawira amene mugomba rake; Asi vakarurama vachagara nhaka yezvakanaka.
Mupfuri anoti ndakachenjera; Asi murombo, ane njere, anomuferefeta.
Kana vakarurama vachikunda, mufaro mukuru uriko; Asi kana vakaipa vosimba, vanhu vovanda.
Anofukidza kudarika kwake, haangavi nomufaro; Asi anozvireurura, achizvirasha, achawana nyasha.
Munhu anogara achitya, anomufaro; Asi anoomesa moyo wake, achawira munjodzi.
Seshumba inoomba, nebere rinopota-pota, Ndizvo zvakaita mubati akaipa anobata vanhu varombo.
Muchinda, anoshaiwa njere, anomanikidza vanhuwo zvikuru; Asi anovenga kuchiva, achawedzera mazuva ake.
Munhu, anoremedzwa neropa romumwe munhu, Achatizira kugomba; ngaarege kudziviswa nomunhu.
Ani naani anofamba zvakarurama, acharwirwa; Asi anofamba nenzira dzisakarurama, achawa pakarepo.
Anorima munda wake, achava nezvokudya zvizhinji; Asi unovangira zvisina maturo, uchava nourombo kwazvo.
Munhu akatendeka achava namaropafadzo mazhinji; Asi anoda kufuma nokukurumidza, haangakoni kurohwa.
Kutsaura vanhu hakuna kunaka; Nokuti munhu angadarika nokuda kwechimedu chechingwa.
Munhu ano ruchiva, anovangira fuma, Asingazivi kuti achawirwa nokushaiwa.
Anorairira munhu achazowana nyasha pashure, Kupfuura iye anobata kumeso norurimi rwake.
Anobira baba vake kana amai vake, achiti, Hakuzi kudarika, Uyu ishamwari yoanoparadza.
Ano mweya wokuchiva anomutsa kukakavara; Asi anovimba naJehovha, achasimbiswa.
Anotenda moyo wake, ibenzi; Asi anofamba nouchenjeri, acharwirwa.
Anopa varombo, haangazoshaiwi; Asi anotsinzina meso ake, achatukwa kazhinji.
Kana vakaipa vosimba, vanhu vovanda; Asi kana voparara, vakarurama vowanda.
29
Munhu akarairwa kazhinji, achiomesa mutsipa wake, Achaparadzwa pakarepo, kusina chingamubatsira.
Kana vakarurama vowanda, vanhu vanofara; Asi kana munhu wakaipa achibata ushe, vanhu vanogomera.
Ani naani anoda uchenjeri, anofadza baba vake; Asi anoshamwaridzana nezvifeve, anorasha fuma yake.
Mambo anosimbisa nyika yake nokururamisa; Asi munhu wemitero, anoiparadza.
Munhu anobata wokwake kumeso, Anodzikira tsoka dzake mumbure.
Pakudarika kwomunhu akashata pano musungo; Asi wakarurama achaimba nokufara kwazvo.
Akarurama anoziva kururamisira mhaka dzavarombo; Asi akaipa haanzwisisi zivo.
Vadadi vanopisira guta; Asi vakachenjera vanodzora kutsamwa.
Kana munhu akarurama ane mhaka nebenzi, Iye achatsamwa nokuseka, asi hakungavi nezororo.
Vanhu veropa vanovenga akarurama; Asi vakarurama vanotsvaka kuraramisa mweya wake.
Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose; Asi munhu akachenjera anodzidzora nokudzinyaradza.
Kana mubati achiteerera nhema, Varanda vake vose vachava vakaipa.
Murombo nomunhu anomanikidza vanosangana pamwechete; Jehovha anovhenekera meso avose.
Mambo anoruramisira varombo nokutendeka, Chigaro chake chichasimbiswa nokusingaperi.
Shamhu nokuraira zvinouyisa huchenjeri; Asi mwana wangoregwa hake anonyadzisa mai vake.
Kana vakaipa vowanda, kudarika kunowandawo; Asi vakarurama vachaona kuwa kwavo.
Rairira mwanakomana wako, agokuzorodza; Zvirokwazvo achafadza mweya wako.
Kana Jehovha asingazviratidzi, vanhu vanoramba kudzorwa; Asi anochengeta murayiro, anomufaro.
Muranda angaramba kurairirwa namashoko bedzi; Nokuti, kunzwisisa anonzwisisa hake, asi haane hanya nazvo.
Unoona munhu unokurumidza kutsamwa? Benzi riri nani kuna iye.
Kana munhu achirera muranda wake zvakanaka kubva pahuduku hwake, Pakupedzisira achada kuva mwanakomana.
Munhu wakatsamwa anomutsa kukakavara; Munhu ane hasha anokudarika kuzhinji.
Kuzvikudza kwomunhu kuchamudukupisa; Asi ano mweya unozvininipisa, achakudzwa.
Ani naani anoshamwaridzana nembavha, anovenga mweya wake; Anonzwa kupikwa, asi haareururi chinhu.
Kutya munhu kunouyisa musungo; Asi ani naani anovimba naJehovha, achachengetwa.
Vazhinji vanotsvaka nyasha yomubati; Asi kururamisirwa kwomunhu kunobva kuna Jehovha.
Munhu asakarurama anonyangadza akarurama; Uye akarurama panzira dzake anonyangadza akaipa.
30
Mashoko aAguri, mwanakomana waJake; chirevo chake. Murume anoti kuna Itieri, kuna Itieri naUkari,
Zvirokwazvo, ndiri benzi kupfuura vanhu vose; Handine njere dzomunhu.
Handina kudzidza uchenjeri, Uye handina zivo yoMutsvene.
Ndiani akakwira kudenga, akaburukazve? Ndiani akasungira mvura munguvo yake? Ndiani akasungira migumo yose yenyika? Zita rake ndiani, nezita romwanakomana wake, kana uchiriziva?
Shoko rimwe nerimwe raMwari rakanatswa; Ndiye nhovo yavose vanovanda maari.
Usawedzera pamashoko ake, Kuti arege kukupa mhosva, uwanikwe une nhema.
Zvinhu zviviri ndakakumbira kwamuri; Musandirambira izvo, ndisati ndafa.
Bvisai kure neni zvisina kutendeka nenhema; Regai kundipa urombo kana fuma; Mundigutse nezvokudya zvakandifanira;
Ndirege kuti kana ndaguta, ndikurambei, ndichiti, Jehovha ndianiko? Kana zvimwe ndive murombo, ndibe, Ndimhure zita raMwari wangu.
Rega kuudzisira muranda kuna tenzi vake, Arege kukutuka, ukanzi une mhosva.
Rudzi ruriko runotuka baba varwo, Rusingaropafadzi mai varwo.
Rudzi ruriko runoti pakuona kwedu takachena kwazvo, Asi rusina kunatswa patsvina yarwo.
Rudzi ruriko, meso arwo ana manyawi sei! Mafungiro ameso avo akakwidzwa.
Rudzi ruriko, meno ago akafanana neminondo, nameno eshaya dzarwo samapanga, Kuti rupedze varombo panyika, navanoshaiwa pakati pavanhu.
Chikweva ropa chinavakunda vaviri, vanoti, Ndipe! Ndipe! Zvinhu zvitatu zviriko zvisingatongoguti, Zvina zvisingatongoti, Zvaringana!
Sheori; nechizvaro chisingabereki; Pasi pasingaguti mvura; Nomoto, usingati, Zvaringana!
Ziso rinoseka baba, Rinoshora kuteerera mai, Makunguvo omupata acharinongora, Vana vegondo vacharidya.
Zvinhu zvitatu zviriko zvinondishamisa, Zvirokwazvo zvina, zvandisingazivi, zvinoti:
Kufamba kwegondo mudenga; Kufamba kwenyoka paruware; Kufamba kwechikepe pakati pegungwa; Nokufamba kwomurume nomusikana.
Ndizvo zvakaita kufamba kwomukadzi woupombwe; Anodya, ndokupisika muromo wake, Achiti, Handina kuita chinhu chakaipa.
Nyika inodedera nokuda kwezvinhu zvitatu; Uye nokuda kwezvina zvaisingadi kuona;
Nokuda kwomuranda kana achizova mambo; Nokuda kwebenzi, kana raguta zvokudya;
Nokuda kwomukadzi arambwa, kana azowanikwa; Uye mushandiri, kana azova mugari wenhaka yatenzi wake.
Zvinhu zvina zviriko panyika zviduku hazvo, Asi zvakachenjera kwazvo, zvinoti:
Majuru, rudzi rusine simba harwo; Kunyange zvakadaro anounganidza zvokudya zvawo muzhizha;
Mbira, rudzi rusine simba harwo, Kunyange zvakadaro dzinoita imba yadzo mumatombo;
Mhashu hadzina mambo , Kunyange zvakadaro dzinofamba zvakanaka dzichiita mapoka;
Chipfira ungachibata namaoko ako, Kunyange zvakadaro chiri mudzimba dzamadzimambo.
Zvinhu zvitatu zviriko zvinokufamba kunokudzwa, Zvirokwazvo zvina zvinokufamba kunokudzwa, zvinoti:
Shumba, mhare pakati pemhuka dzose, Isingatizi mhuka ipi neipi;
Nemhuka ine zviuno zakasimba, nenhongo yembudzi; Namambo kana anavarwi vake.
Kana uchinge waita noupenzi, wazvikudza, Kana zvimwe warangarira zvakashata, Pfumbira muromo wako.
Nokuti mukaka warozva unobudisa mafuta, Nemhino dzadzvinyiwa dzinobudisa ropa, Saizvozvo hasha dzvavambwa dzinobudisa kukakavara.
31
Mashoko amambo Remueri; zvirevo zvaakadzidziswa namai vake.
Nhai, mwanakomana wangu! Nhai, mwanakomana wemhiko dzangu!
Rega kupa vakadzi simba rako, Nenzira dzako kune zvinoparadza madzimambo.
Iwe Remueri, hazvifaniri madzimambo, hazvifaniri madzimambo kunwa waini; Namachinda kuti, Doro riripiko?
Varege kunwa, vachizokanganwa murayiro, Varege kukanganisa kururamisira vamwe vanotambudzika.
Ipai anoda kuparara doro, Neanomoyo unorwadza waini;
Ngaanwe, akanganwe urombo hwake, Arege kucharangarira kutambudzika kwake.
Shamisira mbeveve muromo wako, Urwire mhaka dzavose vakadai vakasiyiwa.
Shamisa muromo wako, utonge zvakarurama, Ururamisire murombo neanoshaiwa.
Ndianiko angawana mukadzi anozviita zvakanaka? Nokuti mutengo wake unokunda kwazvo mutengo wamaparera.
moyo womurume wake unomutenda, Naiye haangashaiwi fuma.
Unoitira murume wake zvakanaka, haamuitiri zvakaipa Mazuva ose oupenyu hwake.
Anotsvaka mvere noruchinda, Achibata namaoko ake nomufaro.
Akafanana nezvikepe zvavatengesi; Anondotora zvokudya zvake kure.
Anomuka huchiri usiku, Nokupa mhuri yake zvokudya, Navashandiri vake basa ravo.
Anorangarira munda, ndokuutenga; Anosima munda wemizambiringa nezvaakawana namaoko ake.
Anozvisunga chiuno nesimba, Nokusimbisa maoko ake.
Anoona kuti kushambadzira kwake kwabatsira; Mwenje wake haudzimi vusiku.
Anotambanudzira ruoko rwake kune chokurukisa; Maoko ake anobata chinorukwa.
Anotambanudzira murombo ruoko rwake; Anotandavadzira anoshaiwa maoko ake.
Haatyi chando pamusoro peimba yake, Nokuti mhuri yake yose yakafuka nguvo tsvuku.
Anozviitira mitsamhiro inoukomba; nguvo yake mucheka wakaisvonaka nomutsvuku.
Murume wake anozikanwa pamasuo eguta, Kana agere pakati pavakuru venyika.
Anoita zvokufuka zvomucheka achizvitengesa, Anovigira vatengesi zvisungo zvezviuno.
Simba nokukudzwa ndizvo zvokufuka zvake; Anoseka kana achifunga nguva inouya.
Anoshamisa muromo wake nouchenjeri; Rurimi rwake runodzidzisa nounyoro.
Anotarira zvakanaka kufamba kwemhuri yake, Asi iwe unovakunda vose.Asingadyi zvokudya zvousimbe.
Vana vake vanomuka, vachimuti, Makaropafadzwa; Nomurume wakewo anomurumbidza, achiti,
Vakunda vazhinji vakaita zvakanaka,asi iwe unovakunda vose.
Zvinofadza zvinonyengedzera, unaki hahuna maturo; Asi mukadzi anotya Jehovha, ndiye anofanira kurumbidzwa.
Chimupai zvakafanira zvaakabata namaoko ake; Mabasa ake ngaamurumbidze pamasuo eguta.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Proverbs (Shona). Proverbs (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C590-6