1

Akakomborerwa munhu asingafambi panorangana vakaipa, Asingamiri panzira yavatadzi, Asingagari panogara vadadi.
Asi anofarira murayiro waJehovha; Anofungisisa murayiro wake masikati nousiku.
Achafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, Unobereka michero yawo nenguva yawo, Mashizha awo haasvavi; Chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.
Vakaipa havana kudaro; Asi vakafanana nehundi inopepereswa nemhepo.
Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongeswa, Navatadzi paungano yavakarurama.
Nokuti Jehovha anoziva nzira yavakarurama; Asi nzira yavakaipa ichaparadzwa.

2

Ndudzi dzinoitireiko bope, Navanhu vanofungireiko zvisina maturo?
Madzimambo enyika anozvigadzira, Navabati vanorangana, Kuzorwa naJehovha nomuzodziwa wake, vachiti,
Ngatidambure zvisungo zvavo, Ngatirashe mabote avo abve kwatiri.
Iye, agere kudenga-denga, achaseka; Ishe achavadadira.
Ipapo achataura kwavari pakutsamwa kwake, Nokuvavhundusa pahasha dzake huru;
Kunyange zvakadaro ndakagadza mambo wangu paZiyoni, iro gomo rangu dzvene.
Ndichaparidza chirevo, chinoti, Jehovha akati kwandiri, Ndiwe mwanakomana wangu; Nhasi ndakubereka.
Kumbira kwandiri, ndikupe ndudzi ive nhaka yako, Nemigumo yenyika zvive zvako.
Muchavapwanya netsvimbo youtare; Muchavaputsanya sehari yomuumbi.
Zvino chivai nenjere, imi madzimambo; Munyeverwe, imi vatongi venyika.
Shumirai Jehovha nokutya, Mufare muchidedera.
Tsvodai mwanakomana, arege kutsamwa, mufire panzira, Nokuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka. Vakakomborerwa vose vanovimba naye.

3

Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vawanda sei! Vazhinji vanondimukira.
Vazhinji variko vanoti kumweya wangu, Haano ruponeso kuna Mwari.
Asi imi Jehovha muri nhovo yangu kumativi ose; Kudzo yangu, nomusimudzi womusoro wangu,
Ndinodana kuna Jehovha nenzwi rangu, Iye anondipindura ari pagomo rake dzvene.
Ndakavata pasi ndikabatwa nehope; Ndikamuka; nokuti Jehovha anonditsigira.
Handingatyi zviuru zvamazana zvavanhu, Vakandikomberedza kuzorwa neni.
Simukai, Jehovha; ndirwirei, Mwari wangu; Nokuti makarova vavengi vangu vose pashaya dzavo; Makavhuna meno avakaipa.
Ruponeso runobva kuna Jehovha; Kukomborera kwenyu ngakuve pamusoro pavanhu venyu.

4

Ndipindurei kana ndichidana,Mwari wokururama kwangu;Pakumanikidzwa kwangu makandiisa pakafarikana;ndinzwirei tsitsi, munzwe munyengetero wangu.
Nhai vanakomana vavanhu kukudzwa kwangu kuchashandurwa kunyadziswa kusvikira rinhiko? Muchada zvisina maturo , nekutsvaka nhema kusvikira rinhi?
Asi zivai kuti Jehovha akazvitsaurira munhu ,anomuda Jehovha uchanzwa kana ndichidana kwaari.
Ityai murege kutadza; Tauriranai nemoyo yenyu panhovo dzenyu,muti mwii.
Bayirai zvibayiro zvokururama, muvimbe naJehovha
Vazhinji variko vanoti,Ndianiko achatiratidza zvakanaka? Jehovha simudzirai pamusoro pedu chiedza chechiso chenyu.
makaisa mufaro mumoyo mangu,Unopfuura wavanhu kana zviyo zvavo newaini yavo zvawanzwa.
ndichavata pasi nerugare, ndibatwe nehope; Nokuti ndimi moga Jehovha munondigarisa pakasimba.

5

Inzwai mashoko angu Jehovha,Rangarirai kufunga komoyo wangu.
teererai inzwi rokuchema kwangu, imwi Mambo wangu naMwari wangu; Nokuti ndinonyengetera kwamuri.
Jehovha, muchanzwa inzwi rangu mangwanani;Mangwanani ndichakurongedzerai munyengetero wangu,ndichirindira.
Nokuti hamuzi Mwari anofarira zvakaipa, munhu, akashata, haangagari nemi.
Munhu anozvikudza,haangamiriri pamberi penyu;Munovenga vose vanoita zvakaipa.
Muchaparadza anoreva nhema; Jehovha anosema munhu anoteura ropa neanonyengera.
Asi kana ndirini, ndichapinda mumba menyu nekuwanda kwevunyoro bwenyu, Ndichanamata ndakaringira kutemberi yenyu tsvene ndichikutyai.
Ndifambisei, Jehovha, mukururama kwenyu nekuda kwavavengi vangu; Gadzirai nzira yenyu pamberi pangu.
Nokuti hapana kutendeka pamiromo yavo; Mukati mavo makashata-shata; huro dzavo bwiro bwakashama; Vanobata kumeso norurimi rwavo.
Muvapei, mhosva, Jehovha ngavawe namano avo;Nokuti vakakumukirai.
Asi vose vanovimba nemi ngavafare, Ngavadanidzire nomufaro nguva dzose,nokuti imi munovadzitira; Vose vanoda zita renyu ngavafare nemi.
Nokuti mucharopafadza akarurama; Imi Jehovha, muchamukomberedza nenyasha senhovo.

6

Haiwa Jehovha, regai kundiraira pakutsamwa kwenyu, Musandirova nekufara kwenyu kukuru.
Ndinzwirei nyasha, Jehovha;nokuti ndaonda; Ndiponesei,Jehovha nokuti mapfupa angu anotambudzika.
Mweya wangu unotambudzikawo zvikuru; Asi imwi Jehovha muchanonoka kusvikira mhiko?
Dzokai Jehovha, murwire mweya wangu; Ndiponesei nokuda kwevunyoro bwenyu.
Nokuti parufu hapana achakurangarirai; Ndiani achakuvongai paSheori?
Ndaneta nokugomba kwangu; Usiku humwe nohumwe ndinoshambirisa nhovo dzangu; Ndinonyorovedza mubhedha wangu nemisodzi yangu.
Ziso rangu rapera nokuchema, Rinosakara nokuda kwavadzivisi vangu.
Ibvai kwandiri, imi vabati vose vezvakaipa; Nokuti Jehovha akanzwa inzwi rokuchema kwangu.
Jehovha akanzwa kukumbira kwangu; Jehovha achagamuchira munyengetero wangu.
Vavengi vangu vose vachanyadzwa nokutambudzika zvikuru; Vachadzoka, vachanyadzwa pakarepo.

7

Jehovha Mwari wangu, ndinovimba nemi; Ndiponesei kuna vose vanonditeverera, mundirwire;
Kuti arege kubvambura mweya wangu seshumba, aubvamburanye, ndichishaiwa anondirwira.
Jehovha Mwari wangu, kana ndichinge ndakaita izvozvi; Kana zvakaipa zvirimo mumaoko angu;
Kana ndichinge ndakaitira zvakaipa munhu aiva noukama neni; (Izvo, ndakarwira waiva mudzivisi wangu asina mhosva;)
Muvengi ngaateverere mweya wangu, aubate; Ngaatsikire upenyu hwangu pasi, Aise kukudzwa kwangu muguruva.
Simukai Jehovha, pakutsamwa kwenyu, Simukirai hasha dzavadzivisi vangu; Mumuke nokuda kwangu; ndimi makaraira kuti zvakarurama zviitwe.
Ungano yendudzi dzavanhu ngaikupoteredzei; Mudzokere kumusoro pamusoro pavo.
Jehovha anotonga ndudzi dzavanhu; Nditongei Jehovha sokururama kwangu, uye nezvokwadi zviri mandiri.
Haiwa, kuipa kwavakaipa ngakugume, asi simbisai akarurama; Nokuti Mwari akarurama anoidza moyo netsvo.
nhovo yangu iri kuna Mwari, Iye anoponesa vane moyo yakarurama.
Mwari mutongi akarurama, Zvirokwazvo, ndiMwari unosvotwa zuva rimwe nerimwe.
Kana munhu asingatendeuki, iye acharodza munondo wake; Akakunga uta hwake, akahugadzira.
Akazvigadzirirawo nhumbi dzokuuraya nadzo; Anozviitira miseve inopisa.
Tarira, anotambudzika pakubereka zvakaipa; Zvirokwazvo, akava nemimba yezvakashata, akabereka nhema.
Akachera hunza, akaidzikisa, Akawira mugomba raakachera iye.
Zvakashata zvake zvichadzokera pamusoro wake amene, Uye kumanikidza kwake kuchauya pamusoro pedehenya rake.
Ndichavonga Jehovha nokuda kwokururama kwake; Ndichaimbira zita raJehovha Wokumusoro soro.

8

Haiwa Jehovha, Ishe wedu,Zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose! Makaisa umambo hwenyu kudenga.
Pamiromo yavacheche navanomwa makaisa simba, Nokuda kwavadzivisi venyu, Kuti munyaradze muvengi nomutsivi.
Kana ndichicherekedza denga renyu rose, iro basa reminwe yenyu,Mwedzi nenyeredzi zvamakarongedza;
Munhu chinyiko, zvamunomufunga? NoMwanakomana womunhu zvamunomushanyira?
Nokuti makamuita muduku zvishoma kuna Mwari, Makamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa.
Makamubatisa ushe hwamabasa amaoko enyu; Makaisa zvose pasi petsoka dzake.
Makwai ose nenzombe, Nemhuka dzesango;
Neshiri dzokudenga, nehove dzegungwa, Izvo zvose zvinofamba nenzira dzegungwa.
Haiwa Jehovha, Ishe wedu, Zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!

9

Ndichavonga Jehovha nomoyo wangu wose; Ndichaparidza mabasa enyu ose anoshamisa.
Ndichafara nokukufarirai zvikuru; Ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusoro-soro.
Kana vavengi vangu vachidzokera shure, Vanogumburwa nokupera pamberi penyu.
Nokuti mandiruramisira mhosva yangu; Makagara pachigaro choushe muchitonga nokururama.
Makatuka vahedheni, makaparadza vakaipa, Makadzima zita ravo nokusingaperi-peri.
Vavengi vakapera, vakaparadzwa nokusingaperi; Makaparadza maguta avo, Nechiyeudzo chawo chakaparara.
Asi Jehovha agere ari mambo nokusingaperi; Akagadzira chigaro chake choushe kuti atonge.
Achatonga nyika nokururama, Achatonga vanhu zvakafanira.
Jehovha achava nhare yakasimba kuna vanomanikidzwa, Nhare yakasimba panguva yokutambudzika.
Vanoziva zita renyu vachavimba nemi; Nokuti imi Jehovha hamuna kurasha vanokutsvakai.
Imbirai Jehovha nziyo dzokumurumbidza, iye agere paZiyoni; dudzirai zvaakaita pakati pendudzi dzavanhu.
Nokuti iye, anotsiva ropa, anovarangarira; Haakanganwi kuchema kwavarombo.
Ndinzwirei tsitsi, Jehovha; Tarirai, kumanikidzwa kwangu navanondivenga, Imi munondisimudza pamisuo yorufu;
Kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyu kwose; Pamisuo yomukunda weZiyoni, Ndichafarira kuponesa kwenyu.
Vahedheni vakanyura mugomba ravakachera; Rutsoka rwavo rwakabatwa mumumbure, wavakavanza.
Jehovha wakazvizivisa, akatonga; Akaipa wakateyiwa nebasa ramaoko ake.
Vakaipa vachadzokera kuSheori, Ivo vahedheni vose, vakakanganwa Mwari.
Nokuti anoshaiwa haangakanganikwi nokusingaperi, Nokutarira kwomurombo hakungaperi nokusingaperi.
Simukai Jehovha; munhu ngaarege kukunda; Vahedheni ngavatongwe pamberi penyu.
Chivatyisai, Jehovha; Vahedheni ngavazive kuti vanongova vanhu.

10

Munomirireiko kure, Jehovha? Munozvivanzireiko panguva dzokutambudzika?
Pakuzvikudza kwake akaipa anotambudza murombo zvikuru; Ngavabatwe namano avakafunga.
Nokuti wakaipa anozvirumbidza pamusoro pezvinoda moyo wake, Anoruchiva anoramba Jehovha nokumuzvidza.
Nokuzvikudza kwechiso chake, wakaipa anoti, Haangabvunzi. Ndangariro dzake dzose dzinoti, Hakuna Mwari.
Nzira dzake dzakasimba nguva dzose; Zvamunotonga imi zviri kure kumusoro, haazvioni; Kana vari vadzivisi vake vose, anovashora.
Anoti mumoyo make, Handingazununguswi; Handingavi panhamo kusvikira kumarudzi angu ose.
Muromo wake uzere nokutuka nokunyengera nokumanikidza; Zvakashata nezvakaipa zviri pasi porurimi rwake.
Anogara panzvimbo dzokuvanda dzemisha; Pakavanda ndipo paanouraya asina mhosva; Meso ake anovandira asina wokumubatsira.
Anovandira pakavanda seshumba panzvimbo yayo; Anovanda kuti abate murombo; Anobata murombo, kana achimukakatira mumumbure wake.
Anonyangira, anokotama pasi, Vasina mubatsiri vanowiswa nesimba rake.
Anoti mumoyo make, Mwari akanganwa; Anovanza chiso chake, haangatongozvioni.
Simukai Jehovha; Mwari simudzai ruoko rwenyu; Regai kukanganwa varombo.
Akaipa anozvidzireiko Mwari, Achiti mumoyo wake, Hangabvunzi?
Mazviona henyu; nokuti munoona kutambudzika nokuchema, kuti muzvibate muruoko rwenyu; asinamubatsiri anozviisa kwamuri; Makava mubatsiri wenherera.
Vhunai ruoko rwowakaipa. Kana ari munhu akashata, nzverai zvakaipa zvake, kusvikira musingazozviwani.
Jehovha ndiye Mambo . nokusingaperi-peri; Vahedheni vakaparadzwa munyika yake.
Jehovha, makanzwa zvinodikanwa navanyoro; Muchasimbisa moyo yavo, mucharerekera nzeve yenyu;
Kuti mutongere nherera neanotambudzwa, Kuti munhu wapanyika arege kuramba achivhundusa.

11

Ndinovimba naJehovha; Munoreva seiko kumweya wangu, muchiti, Tizira kugomo rako seshiri?
Nokuti, tarira, vakaipa vanohwembura uta, Vanogadzira museve wavo parukungiso, Kuti vafure anomoyo wakarurama parima.
Kana nheyo dzakaparadzwa, Akarurama angaiteiko?
Jehovha uri mutemberi yake tsvene, Iye Jehovha, chigaro chake choushe chiri kudenga; Meso ake anotarira, mafungiro ameso ake anoidza vana vavanhu.
Jehovha anoidza vakarurama; Asi mweya wake unovenga wakaipa neanomanikidza.
Achanisira misungo pamusoro pavakaipa; Moto nesuriferi nemhepo inopisa, ndiwo uchava mukombe wavo wavakagoverwa.
Nokuti Jehovha akarurama; anoda zvakarurama; Vakarurama vachaona chiso chake.

12

Batsirai, Jehovha; nokuti vanoda Mwari vopera; Nokuti vakatendeka havachipo pakati pavana vavanhu.
Vanotaura mumwe nomumwe zvisina maturo nowokwake; Vanotaura nomuromo unobata kumeso, uye nemoyo miviri.
Jehovha achagura miromo yose inobata kumeso, Norurimi runotaura zvinhu zvikuru;
Ivo vakati, Tichakunda norurimi rwedu; Miromo yedu ndeyedu; ndianiko angava ishe wedu?
Nokuda kwokumanikidzwa kwavarombo, nokugomera kwavanoshaiwa, Ndichamuka zvino nokuda kwaizvozvo, ndizvo zvinotaura Jehovha; Ndichamuisa pakasimba ipo paanoshuva.
Mashoko aJehovha mashoko akachena; Sesirivha yakaidzwa mubisiro panyika, Yakanatswa kanomwe.
Muchavachengeta, Jehovha, Muchavachengeta parudzi urwu nokusingaperi.
Vakaipa vanofamba pamativi ose, Kana zvakashata zvichikudzwa pakati pavanakomana vavanhu.

13

Jehovha muchandikanganwa nokusingaperi kusvikira rinhi? Muchandivanzira chiso chenyu kusvikira rinhiko?
Ndichafunga mano mumweya mangu kusvikira rinhi, Ndine shungu pamoyo pangu zuva rimwe nerimwe? Muvengi wangu achandikurira kusvikira rinhi?
Rangarirai, mundipindure, Jehovha Mwari wangu; Vhenekerai meso angu, ndirege kuvata hope dzokufa;
Muvengi wangu arege kuti, Ndamukunda; Vadzivisi vangu varege kufara kana ndichizununguka.
Asi ndakavimba nenyasha dzenyu; moyo wangu uchafara nokuponesa kwenyu;
Ndichaimbira Jehovha, Nokuti akandiitira zvakanaka.

14

Benzi rakati mumoyo maro, Mwari haako. Vakaora, vakabata mabasa anonyangadza; Hapana anoita zvakanaka.
Jehovha ari kudenga, akatarira pasi kuvana vavanhu, Kuti aone kana akachenjera aripo, Anotsvaka Mwari.
Vakatsauka vose, vakasvibiswa pamwechete; Hapana anoita zvakanaka, kunyange nomumwe.
Ko vaiti vose vezvakaipa havana zivo here? Ivo vanodya vanhu vangu sezvavanodya chingwa, Vasingadani kuna Jehovha.
Vakanga vachitya zvikuru ipapo; Nokuti Mwari anogara parudzi rwavakarurama.
Munonyadzisa zano romurombo, Asi Jehovha ndiye utiziro hwake.
Dai kuponeswa kwalsiraeri kwaibva paZiyoni! Kana Jehovha achidzosa vanhu vake pakutapwa, Ipapo Jakobho achafarisisa kwazvo, naIsiraeri achafara.

15

Jehovha, ndianiko angatsaukira mutende renyu? Ndianiko angagara pagomo renyu dzvene?
Uyo, anofamba asina mhosva, anoita zvakarurama, Anotaura zvokwadi mumoyo make.
Iye asina makuhwa parurimi rwake, Asingaitiri shamwari yake zvakaipa, Asingatuki waagere naye.
Munhu akashata anozvidzwa naye; Asi anokudza vanotya Jehovha. Iye anoti kana achinge apika, haangazoshanduri shoko rake, kunyange zvikava zvakaipa kwaari.
Iye asingarevi mhindu pamari yake, Kana kugamuchira chipo pamusoro pausina mhosva. Munhu anoita zvinhu izvozvi haangatongozununguswi.

16

Ndichengetei, Mwari, nokuti ndinovimba nemi.
Ndakati kuna Jehovha, Ndimi Ishe wangu; Kunze kwenyu handine chinhu chakanaka.
Kana vari vatsvene, vari panyika, Ndivo vakaisvonaka vandinofarira zvikuru.
Kuchema kuchawanzwa kwavanovigira mumwe mwari zvipo; Zvipiriso zvavo zvinodururwa zveropa handingazvidururi, Namazita avo handingaarevi nemiromo yangu.
Jehovha ndiye mugove wenhaka yangu nowomukombe wangu; Munochengeta mugove wangu.
Rwonzi rwokuyera rwakandiyerera nzvimbo dzakanaka; Zvirokwazvo, nhaka yangu yakaisvonaka.
Ndicharumbidza Jehovha akandipa mano, Zvirokwazvo, itsvo dzangu dzinondidzidzisa panguva dzousiku.
Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose; Zvaari kurudyi rwangu, handingazununguswi.
Naizvozvo moyo wangu unofara, kukudzwa kwangu kunofarisisa; Nyama yanguvo ichagara yakachengetwa.
Nokuti hamungasiyi mweya wangu muSheori; Hamungatenderi mutsvene wenyu kuti aone kuora.
Mundiratidza nzira youpenyu; Mufaro wakazara uri pamberi pangu; Paruoko rwenyu rworudyi panezvinofadza nokusingaperi.

17

Inzwai zvakarurama Jehovha, muteerere kuchema kwangu; Rerekerai nzeve dzenyu kumunyengetero wangu, unobva pamiromo isinganyengeri.
Kutongwa kwangu ngakubve pamberi penyu; Meso enyu ngaatarire zvakarurama.
Makaidza moyo wangu; makandishanyira usiku; Makandiidza, mukasawana kufunga kwakaipa mandiri Ndakazvisunga kuti muromo wangu urege kudarika.
Kana ari mabasa avanhu; neshoko remiromo yenyu, Ini ndakanzvenga nzira dzomuparadzi.
Kutsika kwangu kwakarambira panzira dzenyu, Tsoka dzangu hadzina kutedzemuka.
Ini ndakadana kwamuri, nokuti muchandipindura, imi Mwari; Rerekerai nzeve dzenyu kwandiri, munzwe kutaura kwangu.
Ratidzai unyoro hwenyu hunoshamisa, imi, munoponesa vanovimba nemi, Imi munoponesa noruoko rwenyu rworudyi, ava vanovimba nemi Kuna vanovamukira simba.
Ndichengetei semboni yeziso renyu, Ndivanzei pasi pomumvuri wamapapiro enyu,
Kunavakaipa, vanondiparadza, Ivo vavengi vangu vakaipa, vanondikomba.
Vakadzivira moyo yavo;
Vanotaura vachikudza nemiromo yavo. Vakatikomba zvino pakufamba kwedu; Vanocherekedza nameso avo kuti vatiwisire pasi.
Vakafanana neshumba inokarira kuparadza, somwana weshumba inovandira panzvimbo dzakavanda.
Simukai, Jehovha, Mirai pamberi pake, mumuwisire pasi; Rwirai mweya wangu nomunondo wenyu kuna vakaipa;
Kuvanhu, noruoko rwenyu imi Jehovha, Kuvanhu venyika, vanomugove wavo paupenyu uhwu, Vamunozadza dumbu ravo nefuma yenyu; Vana vana vazhinji, Vanosiyira vacheche vavo zvakasara zvefuma yavo.
Ini ndichaona chiso chenyu pakururama; Ndichaguta nomufananidzo wenyu pakumuka kwangu.

18

Ndinokudisai, Jehovha, simba rangu.
Jehovha idombo rangu, nenhare yangu, nomurwiri wangu; Mwari wangu, dombo rangu, wandichavimba naye; nhovo yangu, norunyanga rwokuponeswa kwangu, shongwe yangu yakakwirira.
Ndichadana kuna Jehovha, iye anofanirwa nokurumbidzwa; Naizvozvo ndichaponeswa kuna vavengi vangu.
Mabote orufu akandikomba; Uye nzizi dzezvakaipa dzakandivhundusa.
Mabote eSheori akandisunga; Misungo yorufu yakandiwira.
Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, Ndikadana kuna Mwari wangu; Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; Kuchema kwangu pamberi pake kukasvika munzeve dzake.
Ipapo nyika yakazununguka, ikadedera; Nheyo dzamakomowo dzikadengenyeka, Dzikazununguswa, nokuti akanga akatsamwa.
Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake, Uye moto wakabuda mumuromo make, wakaparadza; Mazimbe akabatidzwa nawo.
Akakotamisa kudenga-dengawo, akaburuka; Nerima guru rakanga riri pasi petsoka dzake.
Akatasva kerubhi, akabhururuka; Zvirokwazvo, akabhururuka pamapapiro emhepo.
Rima akariita nzvimbo yake yokuvanda, tende rake rakamupoteredza; Kusviba kwemvura zhinji, namakore matema okudenga.
Nokupenya kwakanga kuri pamberi pake makore ake matema akapfuura, Nechimvuramabwe namazimbe omoto.
Jehovha akatinhirawo kudenga-denga, Wokumusorosoro akataura nenzwi rake; Chimvuramabwe namazimbe omoto.
Akatuma miseve yake, akavaparadza; Zvirokwazvo, nemheni zhinji, akavavhundusa.
Ipapo migero yemvura zhinji yakaonekwa, Uye nheyo dzenyika dzakafukurwa, Nokutuka kwenyu, Jehovha, Nokufema kwomweya wemhino dzenyu.
Wakatambanudza ruoko rwake ari kumusoro, akanditora, Akandinyukura pamvura zhinji.
Akandirwira pamuvengi wangu ane simba, Nokuna vanondivenga, nokuti vakanga vondikurira.
Vakandivinga nezuva renjodzi yangu, Asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu.
Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana, Akandirwira, nokuti akanga achindifarira.
Jehovha akandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Akandipa mubayiro wakaenzana nokuchena kwamaoko angu.
Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha, Handina kubva kuna Mwari wangu nokunyengera.
Nokuti zvose zvaakatonga zvakanga zviri pamberi pangu, Handina kusundira kure neni zvaakatema.
Ndakanga ndakaruramawo kwaari, Ndakazvichengeta ini pazvakaipa zvangu.
Naizvozvo Jehovha akandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Zvakaenzana nokuchena kwamaoko angu pamberi pake.
Ane ngoni munomuitirawo nengoni, Nomunhu wakarurama kwazvo, munomuitirawo zvakarurama;
Akanaka munomuitirawo zvakanaka, Nowakatsauka, munomuitirawo nehasha.
Nokuti muchaponesa vanhu vanotambudzika; Asi muchaderedza meso avanozvikudza.
Nokuti imi muchatungidza mwenje wangu; Jehovha Mwari wangu achavhenekera rima rangu.
Nokuti nemi ndichavamba hondo, Kana ndina Mwari wangu ndichadarika rusvingo.
Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana kwazvo; Shoko raJehovha rakaidzwa; Ndiye nhovo yavose vanovimba naye.
Nokuti ndianiko Mwari, asi iye Jehovha? Ndianiko dombo, asi iye Mwari wedu?
Iye Mwari, anondisunga chiuno nesimba, Anokwanisa nzira yangu.
Anoita tsoka dzangu dzive setsoka dzenondokadzi, Anondiisa pamatunhu angu akakwirira.
Anodzidzisa maoko angu kurwa; Naizvozvo maoko angu anhwembura uta hwendarira.
Makandipawo nhovo yokuponesa kwenyu; Ruoko rwenyu rworudyi rwakanditsigira, Uye unyoro hwenyu hwakandiita mukuru.
Makandiitira nzvimbo yakafarikana pandingatsika; Uye tsoka dzangu hadzina kutedzemuka.
Ndichateverera vavengi vangu nokuvabata. Handingadzokizve kusvikira vapedzwa.
Ndichavabaya, vakoniwe kusimuka; Vachawira pasi petsoka dzangu.
Nokuti makandisunga chiuno nesimba rokurwa naro; Makandikundisa vaindimukira.
Makatizisa vavengi vangu, Kuti ndiparadze vanondivenga.
Vakachema, asi kwakanga kusina anoponesa, Kuna Jehovha, asi haana kuvapindura.
Ipapo ndakavapwanya-pwanya seguruva pamberi pemhepo; Ndakavarashira kure samatope enzira dzomumusha.
Makandirwira pakukakavadzana kwavanhu; Makandiita mukuru wendudzi; Vanhu vandakanga ndisingazivi, vachandishumira.
Vachateerera pakarepo kana vachindinzwa, Vatorwa vachanamata kwandiri.
Vatorwa vachatorerwa simba, Vachabuda pavaivanda vachidedera.
Jehovha mupenyu; dombo rangu ngarikudzwe; Mwari wokuponeswa kwangu ngaarumbidzwe.
Ndiye Mwari anonditsivira, Anondikundisa ndudzi dzavanhu.
Iye anondirwira kuvavengi vangu; Zvirokwazvo, munondisimudzira kumusoro kwavanondimukira. Munondirwira pamunhu anomanikidza.
Naizvozvo ndichakuvongai Jehovha, pakati pendudzi, Ndichaimbira zita renyu nziyo dzokukudza.
Anopa mambo wake kuponeswa kukuru; ,Anoitira muzodzwa wake unyoro, Iye Dhavhidhi nomwana wake nokusingaperi.

19

Kudenga-denga kunoparidzira kubwinya kwaMwari; Uye denga rinoratidza basa ramaoko ake.
Musi mumwe unotaurira mumwe musi, Uye usiku humwe hunopupurira humwe usiku njere.
Hapana kutaura, kana mashoko; inzwi razvo harinzwiki.
Rwonzi rwokuyera rwazvo rwakasvika kunyika yose, Namashoko azvo kumugumo wenyika. Akagadzirira zuva tende mukati mazvo.
Iro rakafanana nechikomba chinobuda mumba macho, Rinofara semhare kumhanya nenzira yaro.
Kubuda kwaro kunobva pamugumo wedenga, Kupota kwaro kunosvika pakuguma kwarozve; Hakune chinhu chakavanzirwa kupisa kwaro.
Murayiro waJehovha wakakwana, unoponesa mweya; Chipupuriro chaJehovha ndechazvokwadi, chinopa vasina mano njere.
Zvinorairwa naJehovha zvakarurama, zvinofadza moyo; Murau waJehovha wakaisvonaka, unovhenekera meso.
Kutya Jehovha kwakanaka, kunogara nokusingaperi; Zvakatongwa naJehovha ndezvazvokwadi, zvakarurama kwazvo.
Zvinofanira kutsvakwa kukunda ndarama, zvirokwazvo kukunda ndarama zhinji yakaisvonaka; zvinotapirawo kupfuura huchi nomusvi wamazinga ohuchi.
Uyezve, muranda wenyu unonyeverwa nazvo; Pakuzvichengeta panomubayiro mukuru. Kana kuri kutsauka, ndiani angakuziva?
Ndianiko angaziva zvitadzo? Ndinatsei imi pazvitadzo zvakavanzika.
Dzoraiwo muranda wenyu pazvivi zvokuzvikudza; Ngazvirege kuva nesimba pamusoro pangu; ipapo ndichava akakwana, Handingavi nemhosva yokudarika kukuru.
Mashoko omuromo wangu nokurangarira kwomoyo wangu ngazvifadze pamberi penyu, Imi Jehovha, dombo rangu, nomudzikunuri wangu.

20

Jehovha ngaakupindure nomusi wokutambudzika; Zita raMwari waJakobho ngarikuise pakakwirira;
Ngaakutumire rubatsiro runobva panzvimbo tsvene, Akutsigire nesimba rinobva Ziyoni.
Ngaarangarire zvipiriso zvako zvose, Agamuchire zvibayiro zvako zvinopiswa;
Ngaakupe zvinodikanwa nomoyo wako, Ngaaite sezvawakafunga.
Tichafara kwazvo nokukunda kwenyu, Tichasimudza mireza yedu nezita raMwari wedu; Jehovha ngaaite zvose zvawakakumbira.
Zvino ndinoziva kuti Jehovha anoponesa muzodziwa wake; Achamupindura ari kudenga kwake kutsvene Nesimba roruoko rwake rworudyi, rinoponesa.
Vamwe vanovimba nengoro, vamwe namabhiza; Asi isu tichareva zita raJehovha Mwari wedu.
Ivo vakotamiswa, vawira pasi; Asi isu tasimuka, timire zvakanaka.
Ponesai, Jehovha; Mambo ngaatipindure kana tichidana.

21

Mambo uchafara nesimba renyu, Jehovha; Achafarira kuponesa kwenyu zvikuru sei!
Makamupa zvakadikanwa nomoyo wake, Hamuna kuramba kukumbira kwemiromo yake.
Nokuti munomuchingura nemikomborero yezvakanaka; Munodzika korona yendarama yakaisvonaka pamusoro wake.
Akakumbira upenyu kwamuri, mukamupa ihwo; Namazuva mazhinji nokusingaperi-peri.
Kurumbidzwa kwake kukuru nokuda kwokuponesa kwenyu, Makaisa pamusoro pake kukudzwa noumambo.
Nokuti munomukomborera zvikuru nokusingaperi; Munomufadza nomufaro pamberi penyu.
Nokuti mambo anovimba naJehovha, Nounyoro hwoWokumusorosoro haangazunguswi.
Ruoko rwenyu ruchawana vavengi venyu vose; Ruoko rwenyu rworudyi ruchawana vose vanokuvengai.
Muchavaita sevira romoto nenguva yokutsamwa kwenyu. Jehovha achavamedza nehasha dzake, Moto uchavaparadza.
Muchaparadza zvibereko zvavo panyika, Navana vavo pakati pavana vavanhu.
Nokuti vakafunga kukuitirai zvakaipa; vakafunga zano rakaipa, asi havagoni kuzviita.
Nokuti muchavafuratidza, Muchagadzira ungiso dzouta hwenyu kuvapfura pazviso zvavo.
Simukai Jehovha, nesimba renyu; Naizvozvo tichaimba nokukudza chikuriri chenyu.

22

Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko? Munomirireiko kure pakundibatsira, napamashoko okugomba kwangu?
Mwari wangu, ndinodana masikati, asi hamupinduri; Nousiku, asi handiwani zororo.
Asi imi muri mutsvene, Imi mugere parumbidzo dzaIsiraeri.
Madzibaba edu akavimba nemi; Vakavimba, imi mukavarwira.
Vakachema kwamuri, vakarwirwa; Vakavimba nemi, vakasanyadziswa.
Asi ini ndiri honye, handizi munhu; Ndiri chinhu chinozvidzwa navanhu, chinoshorwa navanhu vose.
Vose, vanondiona vanondiseka; Vanoshamisa muromo, vanodzungudza misoro, vachiti,
Chizviisai kuna Jehovha; iye ngaamurwire; Ngaamurwire, zvaanomufarira iye.
Asi ndimi makandibudisa pachizvaro; Makandivimbisa nemi ndichiri pamazamu amai vangu.
Ndakaiswa kwamuri kubva pachizvaro; Imi muri Mwari wangu kubva padumbu ramai vangu.
Regai kuva kure neni; nokuti njodzi iri pedo; Nokuti hapana angabatsira.
Hondo zhinji dzakandikomba; Hondo dzine simba dzaBhashani dzakandipoteredza.
Dzinondishamisira miromo yadzo, Seshumba inoparadza ichiomba.
Ndakadururwa semvura, Mapfupa angu ose akasvodogoka; moyo wangu wakafanana nenamo; Wakanyauka mukati moura hwangu.
Simba rangu rakaoma sechaenga; Rurimi rwangu rwakanamatira pashaya dzangu; Makandiisa paguruva rorufu.
Nokuti imbwa dzakandikomberedza; Ungano yavanoita zvakaipa yakandipoteredza; Vakaboora maoko angu namakumbo angu;
Ndingaverenga mapfupa angu ose; Vanonditarira nokundinananidza;
Vanogovana nguvo dzangu pakati pavo, Vanokanda mijenya pamusoro pehanzu yangu.
Asi imi Jehovha, regai kuva kure neni; Imi simba rangu, kurumidzai kundibatsira.
Rwirai mweya wangu pamunondo; Mudikanwa wangu pasimba rembwa.
Ndiponesei pamuromo weshumba; Zvirokwazvo, makandipindura ndiri pakati penyanga dzenyati.
Ndichadudzira zita renyu kuhama dzangu; Ndichakurumbidzai pakati peungano.
Imi munotya Jehovha, murumbidzei; Imi mose vana vaJakobho, mukudzei; Mumutyei, imi mose vana vaIsiraeri.
Nokuti haana kuzvidza kana kusema dambudziko raanotambudzwa; Kana kumuvanzira chiso chake; Asi panguva yaakachema kwaari akamunzwa.
Kurumbidza kwangu paungano huru kunobva kwamuri; Ndicharipa mhiko dzangu pamberi pavanomutya.
Vanyoro vachadya vakaguta; Vanotsvaka Jehovha ndivo vachamurumbidza; moyo yenyu ngairarame nokusingaperi.
Migumo yose yenyika icharangarira nokudzokera kuna Jehovha; Marudzi ose avahedheni achanamata kwamuri.
Nokuti ushe ndohwaJehovha; Ndiye mubati wavahedheni.
Vakuru vose venyika vachadya nokunamata; Vose vanoburukira kuguruva vachapfugama pamberi pake, Naiye asingagoni kuraramisa mweya wake.
Vana vake vachanamata kwaari; Rudzi runotevera ruchaudzwa zvaJehovha.
Vachauya vachidudzira kururama kwake Kuvanhu vachazozvarwa, kuti ndiye wakazviita.

23

Jehovha ndiye mufudzi wangu; Hapana chandingashaiwa.
Anondivatisa pasi pamafuro manyoro; Anondisesedza pamvura inozorodza.
Anoponesa mweya wangu; Anondifambisa panzira dzokururama nokuda kwezita rake.
Zvirokwazvo, kunyange ndikafamba mumupata womumvuri worufu, Handingatongotyi zvakaipa; nokuti imi muneni; Tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza.
Munondigadzirira chokudya pamberi pavadzivisi vangu; Makazodza musoro wangu namafuta; mukombe wangu unopfachuka.
Zvirokwazvo unyoro nenyasha zvichanditevera mazuva ose oupenyu hwangu; Ini ndichagara mumba maJehovha mazuva namazuva.

24

Nyika ndeyaJehovha, nokuzara kwayo; Nyika yose navageremo.
Nokuti wakaiteya pamusoro pamakungwa, Nokuisimbisa pamusoro penzizi.
Ndiani angakwira mugomo raJehovha? Ndiani ungamira panzvimbo yake tsvene?
Uyo anamaoko akachena, nomoyo wakanaka kwazvo; Asingasimudziri moyo wake kune zvisina maturo, Neasina kupika nhema.
Iye achapiwa mukomborero naJehovha, Nokururamiswa naMwari muponesi wake.
Urwu ndirwo rudzi rwavanomutsvaka, Vanotsvaka chiso chenyu, imi Mwari waJakobho.
Simudzai misoro yenyu, imi masuo; Musimudzwe imi, magonhi akare-kare; Kuti Mambo wokubwinya apinde.
Ndianiko iye Mambo wokubwinya? Ndiye Jehovha ane simba noumhare, Iye Jehovha anoumhare pakurwa.
Simudzai misoro yenyu, imi masuo; Muisimudze, imi magonhi akare-kare; Kuti Mambo wokubwinya apinde.
Ndianiko uyu Mambo wokubwinya? Jehovha wehondo, Ndiye Mambo wokubwinya.

25

Jehovha, ndinosimudzira moyo wangu kwamuri.
Mwari wangu, ndinovimba nemi, Ngandirege kunyadziswa; Vavengi vangu ngavarege kundikunda.
Zvirokwazvo, hapana munhu anokumirirai anganyadziswa; Vachanyadziswa ndivo vanonyengera pasina chinhu.
Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehovha; Ndidzidzisei nzira dzenyu.
Ndiperekedzei muzvokwadi yenyu, mundidzidzise; Nokuti ndimi Mwari muponesi wangu; Ndinokutarirai zuva rose.
Rangarirai, Jehovha, nyasha yenyu huru nounyoro hwenyu; Nokuti zvaivapo kare nakare.
Regai kurangarira zvivi zvohuduku hwangu, nokudarika kwangu; Mundirangarire nounyoro hwenyu, Nokuda kwokunaka kwenyu,
Jehovha. akanaka, akarurama; Saka acharaira vatadzi panzira.
Achaperekedza vanyoro munezvakarurama; Achadzidzisa vanyoro nzira yake.
Nzira dzose dzaJehovha ndedzounyoro nezvokwadi Kunavanochengeta sungano yake nezvipupuriro zvake.
Nokuda kwezita renyu, Jehovha, Kanganwirai zvakaipa zvangu, nokuti zvikuru.
Munhu ndoupiko anotya Jehovha? Ndiye waachadzidzisa nzira yaanofanira kusanangura.
Mweya wake uchagara zvakanaka; Uye vana vake vachagara nhaka yenyika.
Zvakavanzwa zvaJehovha ndezvavanomutya; Achavaratidza sungano yake.
Meso angu anoramba achitarira kuna Jehovha; Nokuti anobvisa tsoka dzangu pamumbure.
Ringirai kwandiri, mundinzwire nyasha; Nokuti ndiri ndoga, ndinotambudzika.
matambudziko omoyo wangu awanda kwazvo; Haiwa, ndibudisei panjodzi dzangu.
Tarirai kutambudzika kwangu nokurwadziwa kwangu; Mundikanganwire zvivi zvangu zvose.
Tarirai vavengi vangu, nokuti vazhinji; Vanondivenga nehasha dzembengo.
Chengetai mweya wangu mundirwire; Ndirege kunyadziswa, nokuti ndinovimba nemi.
Kusanyengera nokururama ngazvindichengete, Nokuti ndinokumirirai.
dzikunurai Isiraeri, imi Mwari, Panjodzi dzake dzose.

26

Nditongerei Jehovha, nokuti ndakafamba nokusanyengera kwangu; Ndakavimbawo naJehovha ndisinganyunyuti.
Ndinzverei Jehovha, ndiidzei, Natsai itsvo dzangu nomoyo wangu.
Nokuti unyoro hwenyu huri pamberi pameso angu, Ndakafamba muzvokwadi yenyu.
Handina kugara navanhu venhema, Handingafambidzani navanyengeri.
Ndinovenga ungano yavanoita zvakaipa, Handingagari navatadzi.
Ndichashambidza maoko angu ndisina mhosva; Ndigopoteredza aritari yenyu saizvozvo, Jehovha.
Kuti ndiparidze nenzwi rokuvonga, Ndiudze vanhu zvamabasa enyu ose anoshamisa.
Jehovha, ndinoda hugaro hweimba yenyu, Nenzvimbo panogara kubwinya kwenyu.
Regai kusanganisa mweya wangu pamwechete navatadzi, Noupenyu hwangu navateuri veropa;
Vakabata zvakashata pamaoko avo, Ruoko rwavo rworudyi ruzere nefufuro.
Asi kana ndirini ndichafamba nokusanyengera kwangu; Ndidzikunurei, mundinzwire tsitsi.
Rutsoka rwangu rumire pakati chechetere; Ndicharumbidza Jehovha paungano

27

Jehovha ndiye chiedza changu noMuponesi wangu; ndingagotya aniko? Jehovha ndiye simba roupenyu hwangu; ndingagovhunduswa naniko?
Vaiti vezvakaipa vakati vachiuya kwandiri kuzodya nyama yangu, Ivo vadzivisi vangu navavengi vangu, vakagumburwa vakawa.
Kunyange hondo ikandikomba, moyo wangu haungatyi; Kunyange ndikavingwa nokurwa, Nenguva iyo ndichavimba naJehovha.
Chinhu chimwechete ndakakumbira kuna Jehovha, ndicho chandichatsvaka; Kuti ndigare mumba maJehovha misi yose youpenyu hwangu, Kuti ndione kunaka kwaJehovha, nokurangarira mutemberi yake.
Nokuti nomusi wenjodzi anondiviga mudumba rake, Uchandivanza pakavanda patende rake; Uchandikwiridza padombo.
Zvino musoro wangu uchasimudzirwa kumusoro kwavavengi vangu vanondikomba; Ndichamubayira zvibayiro zvomufaro patende rake. Ndichaimba, zvirokwazvo ndichaimbira Jehovha nziyo dzokumurumbidza.
Inzwai Jehovha, kana ndichidana nenzwi rangu; Ndinzwirei tsitsi, mundipindure.
Panguva yamakati, Tsvakai chiso changu; moyo wakati kwamuri, Chiso chenyu, Jehovha, ndichachitsvaka.
Regai kundivanzira chiso chenyu; Musadzinga muranda wenyu pakutsamwa kwenyu; Makanga muri mubatsiri wangu; Regai kundirasha, kana kundisiya, imi Mwari muponesi wangu.
Nokuti baba vangu namai vangu vakandirasha, Asi Jehovha achandigamuchira.
Ndidzidzisei nzira yenyu Jehovha; Mundifambise panzira yakati chechetere, Nokuda kwavanondivandira.
Musandisundira pakuda kwavadzivisi vangu; Nokuti zvapupu zvenhema zvakandimukira, navanofemereka hasha.
Ndingadai ndakafa hangu, kana ndisina kutenda kuti ndichaona kunaka kwaJehovha. Panyika yavapenyu.
Rindira Jehovha; Iva nesimba, nomoyo wako utsunge; Ndinoti, rindira Jehovha.

28

Ndichadana kwamuri, Jehovha; Dombo rangu, regai kundinyararira; Zvimwe, kana mukandinyararira, Ndingafanana navanoburukira kugomba.
Inzwai inzwi remikumbiro yangu, kana ndichichema kwamuri, Kana ndichisimudzira maoko angu kunzvimbo yomukati yeimba yenyu tsvene.
Musandibvuta pamwechete navakaipa, Navanoita zvakashata; Ivo vanotaura rugare kuna vavanogara navo, Asi zvakashata zviri mumoyo mavo.
Muvape zvakaenzana nebasa ravo, uye zvakaenzana nezvakaipa zvavakaita, Muvape zvakaenzana nokubata kwamaoko avo; Muvaitire sezvakavafanira.
Zvavasina kurangarira mabasa aJehovha, Nezvaakabata namaoko ake, Iye achavaputsa, akasavavakazve.
Jehovha ngaavongwe, Nokuti akanzwa inzwi rokukumbira kwangu.
Jehovha ndiye simba rangu nenhovo yangu; moyo wangu wakavimba naye, ndikabatsirwa; Saka moyo wangu unofara kwazvo, Ndichamurumbidza norwiyo rwangu.
Jehovha ndiye simba ravo, Ndiye nhare yokuponesa kumuzodziwa wake.
Ponesai vanhu venyu, muropafadze nhaka yenyu; Muvafudzewo, muvatakure nokusingaperi.

29

Ipai, Jehovha, imi vanakomana vaMwari, Ipai Jehovha kudzo nesimba.
Ipai Jehovha kudzo yakafanirwa nezita rake; Namatai kuna Jehovha nenguvo tsvene.
inzwi raJehovha riri pamusoro pemvura zhinji; Mwari wokubwinya unotinhira, Iye Jehovha ari pamusoro pemvura zhinji-zhinji,
inzwi raJehovha rine simba; inzwi raJehovha rizere noumambo.
inzwi raJehovha rinovhuna misidhari; Zvirokwazvo, Jehovha anovhunanya misidhari yeRebhanoni.
Anoipemberesa semhuru; Iro Rebhanoni neSirioni semhuru yenyati.
inzwi raJehovha rinopamura mirazvo yomoto.
inzwi raJehovha rinodederesa renje; Jehovha anodederesa renje reKadheshi.
inzwi raJehovha rinoberekesa nondo, Rinosvuura miti yamatondo; Nomutemberi yake zvose zvinoti, Kubwinya.
Jehovha akagara pachigaro choushe paboporodzi remvura; Zvirokwazvo, Jehovha anogara ari mambo nokusingaperi.
Jehovha achapa vanhu vake simba; Jehovha acharopafadza vanhu vake norugare.

30

Ndichakukudzai zvikuru, Jehovha; nokuti makandisimudza, Hamuna kutendera vavengi vangu kufara nokuda kwangu.
Jehovha, Mwari wangu, Ndakachema kwamuri, imi mukandiponesa.
Jehovha, makabudisa mweya wangu paSheori; Makachengeta upenyu hwangu, kuti ndirege kuburukira kugomba.
Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza, imi vatsvene vake, Muvonge kana muchirangarira zita rake dzvene.
Nokuti kutsamwa kwake kuripo chinguva chiduku; Asi ngoni dzake ndedzoupenyu hwose. Kuchema kungavapo madekwana, Asi mufaro unosvika mangwanani.
Kana ndirini, ndakati pakufara kwangu, Handingatongozununguswi.
Imi Jehovha, nengoni dzenyu makamisa gomo rangu nesimba; Makavanza chiso chenyu; ini ndikatambudzika.
Ndakachema kwamuri, Jehovha; Uye ndakakumbira kuna Jehovha;
Ropa rangu ringandibatsireiko, kana ndichaburukira kugomba? Guruva ringakurumbidzai here? Ringadudzira zvokwadi yenyu here?
Inzwai Jehovha, mundinzwirei tsitsi; Jehovha, ivai mubatsiri wangu.
Makashandura kuchema kwangu kukava kutamba; Makasunungura gumbo rangu, mukasunga chiuno changu nomufaro;
Kuti mweya wangu ukuimbirei nziyo dzokurumbidza, urege kunyarara. Jehovha Mwari wangu, ndichakuvongai nokusingaperi.

31

Jehovha, ndinovimba nemi; ngandirege kutongonyadziswa; Ndirwirei pakururama kwenyu.
Rerekerai nzeve yenyu kwandiri; kurumidzai kundirwira; Ivai dombo rangu rakasimba, neimba yenhare yokundiponesa.
Nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu; Naizvozvo nditungamirirei mundifambise nokuda kwezita renyu.
Ndibvutei pamumbure wavakandidzikira pakavanda; Nokuti ndimi nhare yangu.
Ndinoisa mweya wangu muruoko rwenyu; Makandidzikunura Jehovha, imi Mwari wazvokwadi.
Ndinovenga vanokudza zvenhema zvisina maturo; Asi ndichavimba naJehovha.
Ndichafara nokufarisisa netsitsi dzenyu; Nokuti makaona kutambudzika kwangu; Makaziva kumanikidzwa kwomweya wangu;
Hamuna kundiisa muruoko rwomuvengi; Makamisa tsoka dzangu panzvimbo yakafarikana.
Ndinzwirei tsitsi Jehovha, nokuti ndiri panjodzi; Ziso rangu rapera nokuchema, zvirokwazvo, nomweya wangu nomuviri wanguvo.
Nokuti hupenyu hwangu hwapera nokuchema, namakore angu nokugomera; Simba rangu rapera nokuda kwokutadza kwangu, uye mapfupa angu asakara.
Ndava chinhu chinozvidzwa nemhaka yavadzivisi vangu vose, Zvirokwazvo, zvikuru kuna vandinogara navo, nechinotyisa kuvazikani vangu; Vakandiona kunze vakanditiza.
Ndakanganikwa sowakafa asati achafungwa; Ndava somudziyo wakaputsika.
Ndakanzwa vazhinji vachindipomera, Zvinotyisa kumativi ose; Pakurangana kwavo pamusoro pangu Vakafunga mano kuti vanditorere upenyu hwangu.
Asi ndakavimba nemi Jehovha; Ndakati, Ndimi Mwari wangu.
Nguva dzangu dziri muruoko rwenyu; Ndirwirei paruoko rwavavengi vangu, nokuna vanonditambudza.
Vhenekesai chiso chenyu pamusoro pomuranda wenyu; Ndiponesei nounyoro hwenyu.
Ngandirege kunyadziswa, Jehovha; nokuti ndakadana kwamuri; Vakaipa ngavanyadziswe, ngavanyarare paSheori.
Miromo inoreva nhema ngainyarare; Iyo inotaura namanyawi kuna vakarurama, Ichizvikudza nokuvazvidza. Haiwa, zvakanaka zvenyu zvamakachengetera vanokutyai zvakakura sei, Zvamakaitira vanovimba nemi, pamberi pavanakomana vavanhu!
Muchavavanza pakavanda pamberi penyu, vabve pamano avanhu;
Muchavachengeta pakavanda patende vabve panharo dzendimi.
Jehovha ngaavongwe, Nokuti akandiratidza unyoro hwake hunoshamisa paguta rakasimba.
Kana ndirini, ndakati pakukaruka kwangu, Ndabviswa pamberi penyu; Kunyange zvakadaro, makanzwa inzwi rokukumbira kwangu pakuchema kwangu kwamuri.
Idai Jehovha, imi vatsvene vake mose; Jehovha anochengeta vakatendeka, Anotsiva zvikuru munhu anozvikudza.
Ivai nesimba, uye moyo yenyu itsunge, Imi mose munorindira Jehovha.

32

Akakomborerwa akakanganwirwa kudarika kwake, akafukidzirwa zvivi zvake
Akakomborerwa munhu asingaverengerwi zvakaipa naJehovha; asina kunyengera pamweya wake.
Panguva yandakaramba ndinyerere, mapfupa angu akasakara nokuvuvura kwangu zuva rose.
Nokuti ruoko rwenyu rwakanga rwuchirema pamusoro pangu masikati novusiku; Unyoro hwangu hwakashandurwa hukava kuoma kwechirimo.
Ndakakuzivisai chakaipa changu, handina kuvanza chakaipa changu; Ndakati,ndicharevurura kudarika kwangu kuna Jehovha; Imwi makandikangamwira kuipa kwechivi changu.
Saka vose vanotya Mwari ngavanyengetere kwamuri panguva yamunowanikwa, zvirokwazvo kana mvura ichikukura, hasvikiri kwaari.
Ndimi chivando changu; muchandichengeta ndirege kupinda pakutambudzika. Muchandikomberedza nenziyo dzokurwira.
Ndichakudzidzisa nekukuraira nzira yaunofanira kufamba nayo; Ndichakupa njere neziso rangu, riri pamusoro pako.
Regai kuva sebhiza, kana sehesera zvisinganzwisisi. Zvinofanira kufambiswa nerwauro netomu namakashu azvo, Hazvingazodi kuswedera kwauri.
Akaipa achava nenjodzi zhinji; Asi anovimba naJehovha achakombwa netsitsi.
Farai muna Jehovha, mufarisise, imi makarurama;Pururudzai nomufaro, imimakachena pamoyo.

33

Farisai munaJehovha, imi vakarurama; Kurumbidza kwakafanira vakarurama.
Vongai Jehovha nembira; Muimbirei nziyo dzokurumbidza nomutengeranwa une hungiso dzine gumi.
Muimbirei rwiyo rutsva; Ridzai zvakanaka nokuridza kukuru.
Nokuti shoko raJehovha rakarurama, Anoita zvose nokutendeka.
Iye anoda kururama nokururamisa; Nyika izere nounyoro hwaJehovha.
Kudenga-denga kwakaitwa neshoko raJehovha, Uye hondo dzose dzoko nokufema kwomuromo wake.
Anounganidza mvura zhinji yegungwa pamwechete somurwi; Anochengeta mvura zhinji dzakadzika mumatura.
Nyika yose ngaitye Jehovha; Vose vagere panyika ngavadedere pamberi pake.
Nokuti iye akataura, zvikaitika; Akaraira, zvikamira zvikasimba.
Jehovha anoparadza zano ravahedheni; Mifungo yendudzi dzavanhu anoishaisa simba.
Zano raJehovha rakasimba nokusingaperi, Nendangariro dzomoyo wake kusvikira kundudzi dzose.
Rwakakomborerwa rudzi rwakaita Jehovha Mwari warwo; Rudzi rwaakatsaura kuva nhaka yake.
Jehovha anotarira ari kudenga; Anoona vanakomana vose vavanhu;
Anotarira ari ipapo paagere Achiona vanhu vose vagere panyika.
Iye anoumba moyo yavo vose, Anocherekedza mabasa avo ose
Hapana mambo anoponeswa nokuwanda kwehondo; Mhare hairwirwi nesimba guru.
Bhiza haribatsiri pakukunda; Harigoni kurwira nesimba raro guru.
Tarirai, ziso raJehovha rinotarira vanomutya, Ivo, vanorindira tsitsi dzake;
Kurwira mweya wavo parufu, Nokuvararamisa panguva yenzara.
Mweya yedu yakarindira Jehovha; Ndiye mubatsiri wedu nenhovo yedu.
Nokuti moyo yedu ichafara kwazvo maari, Zvatakavimba nezita rake dzvene.
Tsitsi dzenyu ngadzive nesu, Jehovha, Sezvatakakurindirai.

34

Ndicharumbidza Jehovha nguva dzose; Rumbidzo yake ichagara mumuromo mangu.
Mweya wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; Vanyoro vachazvinzwa, vakafara.
Kudzai Jehovha pamwechete neni, Ngatikudzise zita rake pamwechete.
Ndakatsvaka Jehovha, akandipindura, Akandisunungura pakutya kwangu kwose.
Vakatarira kwaari, vakapenyeswa nomufaro; Zviso zvavo hazvingatongonyadziswi.
Murombo uyu akachema, Jehovha akamunzwa, Akamuponesa panjodzi dzake dzose.
Mutumwa waJehovha anokomberedza vanomutya, Nokuvarwira.
Ravirai henyu, muone kuti Jehovha wakanaka; Akakomborerwa munhu anovimba naye.
Ityai Jehovha, imi vatsvene vake; Nokuti vanomutya havana chavanoshaiwa.
Vana veshumba vanoshaiwa, vanofa nenzara; Asi vanotsvaka Jehovha havana chinhu chakanaka chavangashaiwa.
Uyai imi vana, munditeerere; Ndichakudzidzisai kutya Jehovha.
Ndoupi munhu anoda upenyu, Anoda mazuva mazhinji, kuti aone zvakanaka?
Dzora rurimi rwako pakutaura zvakaipa, Nemiromo yako, urege kutaura zvinonyengera.
Ibva pane zvakaipa uite zvakanaka; Tsvaka rugare, urutevere.
Meso aJehovha anotarira vakarurama, Uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo.
Chiso chaJehovha chinovenga vanoita zvakaipa, Kuti abvise chiyeudziro chavo panyika.
Vakarurama vakadana, Jehovha akanzwa, Akavarwira panjodzi dzavo dzose.
Jehovha ari pedo navane moyo yakaputsika, Anoponesa vane mweya yakapwanyika.
Akarurama anamatambudziko mazhinji; Asi Jehovha anomurwira abude paari ose.
Anochengeta mapfupa ake ose; Hakuna nerimwe rawo rinovhuniwa.
Zvakaipa zvichauraya akaipa; Uye vanovenga vakarurama vachapiwa mhosva.
Jehovha anodzikunura mweya yavaranda vake; Hapana nomumwe kuna vanovimba naye achapiwa mhosva.

35

Jehovha, kakavadzanai navanokakavadzana neni; Irwai navanorwa neni.
Torai nhovo huru neduku, Musimuke kundibatsira.
Vhomoraiwo pfumo, mudzivire nzira yavanonditeverera, Itiyi kumweya wangu, Ndini muponesi wako.
Vanotsvaka mweya wangu ngavanyadziswe, vazvidzwe; Vanofunga kundiitira zvakaipa ngavadzoserwe shure vakanganiswe.
Ngavafanane nehundi inopupuruswa nemhepo, Mutumwa waJehovha achivasundira.
Nzira yavo ngaive nerima, itedze, Mutumwa waJehovha achivateverera.
Nokuti ndisina mhosva vakandivanzira mimbure yavo muhunza, Ndisina mhosva vakacherera mweya wangu hunza.
Kuparadzwa ngakumuwire akangofara; Uye mumbure wake waakavanza ngaumubate amene; Ngaawiremo aparadzwe.
Mweya wangu uchafarira Jehovha Uchafarira kuponesa kwake.
Mapfupa angu ose achati, Jehovha ndianiko akafanana nemi, Imi munorwira murombo panaiye akamukurira nesimba, Iye murombo nomushaiwi panoanomupamba?
Zvapupu zvisina kururama zvinosimuka; Zvinondibvunza zvinhu zvandisingazivi
Zvakanaka zvangu vanozvitsiva nezvakaipa, Vachibira mweya wangu.
Asi kana ndirini, pakurwara kwavo ndakafuka masaga; Ndakatambudza mweya wangu ndichizvinyima zvokudya; Munyengetero wangu ukadzokera kuchipfuva changu.
Ndakaita seyaiva shamwari yangu kana hama yangu; Ndakakotama ndichichema, somunhu anochema mai vake.
Asi pakugumburwa kwangu vakafara, vakaungana pamwechete; Vanhu vakashata kwazvo vakaungana kuzorwa neni, navandakanga ndisingazivi; Vakandibvambura, vasingaregi;
Savadadiri vakaipa pamitambo Vakandirumanyira meno avo.
Jehovha, muchatarira izvozvo kusvikira rinhiko? Rwirai mweya wangu pakuparadza kwavo, Mudikanwa wangu pashumba.
Ndichakuvongai paungano huru; Ndichakurumbidzai pakati pavanhu vazhinji.
Vanondivenga ndisina mhosva ngavarege kufara pamusoro pangu; Uye vanondivenga ndisina mhosva ngavarege kubwaira neziso.
Nokuti havatauri rugare; Asi vanofungira avo vanyerere panyika mashoko okunyengera.
Zvirokwazvo, vakandishamisira miromo yavo; Vakati, Hekani, hekani! Meso edu akazviona.
Makazviona, Jehovha; regai kunyarara; Ishe, regai kugara kure neni.
Zvimutsei, mukai mundiruramisire; Mutambe mhaka yangu, Mwari wangu naShe wangu.
Nditongerei, Jehovha Mwari wangu, nokururama kwenyu; Ngavarege kufara pamusoro pangu.
Ngavarege kuti mumoyo mavo, Hekani, ndizvo zvatanga tichida; Ngavarege kuti, Tamumedza.
Ngavanyadziswe, vazvidzwe pamwechete, ivo vanofarira kutambudzika kwangu; Ngavafukidzwe nokunyara nokuzvidzwa, ivo vanozvikudza pamusoro pangu.
Ngavadanidzire nomufaro, vafare, ivo vanoda kururamiswa kwemhaka yangu; Ngavarambe vachiti, Jehovha ngaakudzwe, Iye, anofarira kufara kwomuranda wake.
Ipapo rurimi rwangu ruchataura zvokururama kwenyu, Nezvokurumbidzwa kwenyu zuva rose.

36

Kudarika kwowakaipa kunoreva mumoyo mangu, kuchiti, Hakuna kutya Mwari pamberi pameso ake.
Nokuti anozvibata kumeso kwake, Achiti zvakaipa zvake hazvingazikanwi zvikavengwa.
Mashoko omuromo wake ndizvo zvakaipa nokunyengera; Akarega kuzova akachenjera nokuita zvakanaka.
Anofunga zvakaipa panhovo dzake; Anofamba nenzira isina kunaka; Haasemi zvakaipa.
Unyoro hwenyu, Jehovha, hwakasvika kudenga-denga; Kutendeka kwenyu kunosvikira kumakore;
Kururama kwenyu kwakafanana namakomo aMwari; Kutonga kwenyu kwakadzika zvikuru; Jehovha, munochengeta vanhu nemhuka.
Unyoro hwenyu, Mwari, hwakanaka-naka sei! Vana vavanhu vanondovanda pasi pomumvuri wamapapiro enyu.
Vachagutswa kwazvo nezvakakora zveimba yenyu; Muchavanwisa parwizi rwezvinofadza zvenyu;
Nokuti kwamuri ndiko kune tsime roupenyu; Muchiedza chenyu ndimo matinoona chiedza.
Rambai muchiitira vanokuzivai unyoro hwenyu; Nokururama kwenyu kuna vamoyo yakarurama.
Rutsoka rwoanozvikudza ngarurege kusvikira kwandiri, Ruoko rwoakaipa ngarurege kundidzinga.
Apo ndopakawira pasi vaiti vezvakaipa, Vakawisirwa pasi, havangagoni kumukazve.

37

Usava neshungu nokuda kwavanoita zvakaipa, Usagodora vanoita zvisina kururama.
Nokuti vachakurumidza kudzurwa souswa, Vachaoma semuriwo mutema.
Vimba naJehovha, uite zvakanaka; Gara panyika, ushingairire kutendeka.
Farikana kwazvo kuna Jehovha; Iye agokupa zvinodikanwa nomoyo wako.
Isa nzira yako kuna Jehovha; Vimbawo naye, iye achazviita.
Iye achabudisa kururama kwako sechiedza, Nokururamisirwa kwako samasikati.
Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; Usava neshungu pamusoro poanofara panzira yake, Pamusoro pomunhu anoita mano akaipa aakafunga.
Rega kutsamwa, urashe hasha; Usava neshungu, zvinongotadzisa munhu.
Nokuti vanoita zvakaipa vachagurwa; Asi vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika.
Kwasara chinguva chiduku, akaipa haachazovipo; Zvirokwazvo, iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo zvirokwazvo iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo.
Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; Ndivo vachafarikana kwazvo norugare rukuru.
Akaipa anofungira akarurama mano akaipa, Anomurumanira meno ake.
Ishe achamuseka; Nokuti anoona kuti zuva rake rinouya.
Vakaipa vakavhomora munondo, vakawembura uta hwavo; Kuti vawisire pasi varombo navanoshaiwa, Kuti vauraya vakarurama panzira;
Munondo wavo uchapinda pamoyo yavo imene, Uye uta hwavo huchavhuniwa.
Zvishoma, zvakanaka, zvowakarurama zvinopfuura zvakawanda zvavakaipa vazhinji.
Nokuti maoko avakaipa achavhuniwa; Asi Jehovha anotsigira vakarurama.
Jehovha anoziva mazuva avane moyo yakarurama; Nhaka yavo ndeyokusingaperi.
Havanganyadziswi nenguva yokuipa; Pamisi yenzara vachagutiswa.
Asi vakaipa vachaparara, Uye vavengi vaJehovha vachafanana nokunaka kwamafuro; Vacharova; vacharova soutsi.
Akaipa anokwereta, asingaripizve; Asi akarurama ane ngoni, anopa.
Nokuti vanokomborerwa naye vachagara nhaka yenyika; Asi vanotukwa naye vachaparadzwa.
Mufambiro womunhu unosimbiswa naJehovha; Unofarikana munzira yake.
Kunyange akawa, haangawiswi chose; Nokuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake.
Ndakanga ndiri muduku, zvino ndakwegura; Kunyange zvakadaro handina kutongoona akarurama achisiyiwa, Kana vana vake vachipemha zvokudya.
Zuva rose anoramba ane ngoni, achiposa; Vana vake vanokomborerwa.
Ibva pane zvakaipa, uite zvakanaka; Ugare zvakanaka nokusingaperi.
Nokuti Jehovha unoda zvakarurama, Haasiyi vatsvene vake; Vanochengetwa nokusingaperi; Asi vana vowakaipa vachaparadzwa.
Vakarurama vachagara nhaka yenyika, Vachagaramo nokusingaperi.
Muromo wowakarurama unotaura zvenjere, Rurimi rwake runotaura zvakarurama.
Murayiro waMwari wake uri mumoyo make; Pakutsika kwake haangatongotedzemuki.
Akaipa anovandira akarurama, Achitsvaka kumuuraya.
Jehovha haangamuregeri muruoko rwake, Kana kumupa mhosva kana atongwa.
Rindira Jehovha, urambire panzira yake, Iye achakukudza kuti ugare nhaka yenyika; Kana vakaipa vachiparadzwa iwe uchazviona.
Ndakaona akaipa anesimba guru, Achitandavara somuti munyoro panyika yawo.
Zvino mumwe akapfuurazve, wanei haachipo; Ndakamutsvaka, asi akanga asichawanikwi.
Cherekedzai munhu akakwana, mutarire akarurama; Nokuti kuguma kwomunhu uyo rugare.
Kana vari vadariki, vachaparadzwa pamwechete; Pakuguma kwavo vakaipa vachaparadzwa.
Asi kuponeswa kwavakarurama kunobva kuna Jehovha; Ndiye nhare yavo panguva yokutambudzika.
Jehovha anovabatsira, nokuvarwira; Anovarwira kuna vakaipa, nokuvaponesa, Nokuti vakandovanda maari.

38

Haiwa Jehovha, regai kundiraira pakutsamwa kwenyu, Musandiranga nokusafara kwenyu kukuru.
Nokuti miseve yenyu yandibaya, Ruoko rwenyu runonditsikirira kwazvo.
Hakuchina hukukutu panyama yangu nokuda kwehasha dzenyu; Uye hapachina mufaro pamapfupa angu nokuda kwechivi changu.
Nokuti zvakaipa zvangu zvafukidza musoro wangu; Zvinondiremera somutoro unorema.
Maronda angu anonhuwa, akaora, Nokuda kwohupenzi hwangu.
Ndakakombamiswa, ndakakotamiswa kwazvo, Ndinofamba ndichichema zuva rose.
Nokuti chiuno changu chinopisa zvikuru; Hakuchina hukukutu panyama yangu.
Ndakati rukutu, ndavhunika kwazvo; Ndakagomera nokuda kwokutambudzika kwomoyo wangu.
Ishe, zvose zvinoda moyo wangu zviri pamberi penyu; Hamuna kuvanzirwa kugomba kwangu.
moyo wangu unopfura, ndapererwa nesimba rangu; Kana chiri chiedza chameso angu, naicho chabva kwandiri.
Vanondida, neshamwari dzangu, vanomira kure nokuda kwehosha yangu; Uye hama dzangu dzimire kure.
Vanotsvaka upenyu hwangu vanonditeyira misungo; Uye vanotsvaka kundikuvadza vanotaura zvokuparadzwa kwangu, Asi vanofunga kundinyengera zuva rose.
Asi ini ndakafanana nematsi, handinzwi; Ndakafanana nembeveve isingashamisi muromo wayo.
Zvirokwazvo, ndakafanana nomunhu asinganzwi, Asina mhinduro pamuromo wake.
Nokuti ndimi, Jehovha, wandinotarira; Imi muchapindura, Jehovha Mwari wangu.
Nokuti ndakati, Ngavarege kufara pamusoro pangu; Kana rutsoka rwangu ruchitedzemuka, vanozvikudza pamusoro pangu.
Nokuti ndinovavarira kugumburwa, Uye njodzi yangu iri pamberi pangu nguva dzose.
Nokuti ndichazvireurura zvakaipa zvangu; Ndichachema zvivi zvangu.
Asi vavengi vangu vakasvinuka, vane simba, Uye vanondivenga ndisina mhosva vawanda.
Naivowo vanotsiva zvakaipa nezvakanaka, Ndivo vadzivisi vangu, nokuti ndinotevera chinhu chakanaka.
Regai kundisiya, Jehovha; Mwari wangu, regai kuva kure neni.
Kurumidzai kundibatsira, Ishe, imi muponesi wangu.

39

Ndakati, Ndichachenjerera nzira dzangu, Kuti ndirege kutadza norurimi rwangu; Ndichachengeta muromo wangu netomu, Kana wakaipa ari pamberi pangu.
Ndakanga ndiri mbeveve ndisingatauri, Ndakanyarara hangu, ndiri kure nezvakanaka. Kuchema kwangu kukamutswa.
moyo wangu wakanga uchipisa mukati mangu; Ndakati ndichifunga, moto ukapfuta; Ipapo ndakataura norurimi rwangu, ndikati,
Jehovha, ndizivisei mugumo wangu, Uye mwero wamazuva angu, kuti akadini; Ndizivisei kuti ndinongopfuura hangu.
Tarirai, makaita mazuva angu sohupamhi hwechanza; Uye nguva yokurarama kwangu sechinhu chisipo pamberi penyu; Zvirokwazvo, munhu mumwe nomumwe kunyange akasimba kwazvo, mweya bedzi.
Zvirokwazvo, munhu mumwe nomumwe anofamba-famba somumvuri; Zvirokwazvo, vanoita bope pasina; Anounganidza fuma, asi haazivi kuti ndiani achaidya.
Zvino Ishe, ndakarindireiko? Tariro yangu iri kwamuri.
Ndirwirei pakudarika kwangu kwose; Regai kundiita munhu anosekwa namapenzi.
Ndakanga ndiri mbeveve, handina kushamisa muromo wangu; Nokuti ndimi makazviita.
Bvisai shamhu yenyu kwandiri; Ndapera nokurohwa noruoko rwenyu.
Kana muchiraira munhu muchimuranga pamusoro pezvakaipa, Munopedza kunaka kwake sechivhundudzi; Zvirokwazvo munhu mumwe nomumwe mweya hake.
Inzwai munyengetero wangu, Jehovha, rerekerai nzeve yenyu munzwe kuchema kwangu; Musanyarara muchiona misodzi yangu; Nokuti ndiri mweni kwamuri, Mutorwa, sezvakanga zvakaita madzibaba angu ose.
Regai kunditarira, kuti ndimbonaya hangu, Ndisati ndabva pano, ndikasazovapo.

40

Ndakarindira-rindira Jehovha; Akarerekera nzeve kwandiri, akanzwa kuchema kwangu.
Akandibudisawo pagomba rokuparadzwa, nomudziva ramatope; Akamisa tsoka dzangu padombo, akandisimbisa pakufamba kwangu.
Akaisa rwiyo rutsva mumuromo mangu, rwokurumbidza Mwari wedu narwo; Vazhinji vachazviona, vachitya, Vachavimba naJehovha.
Akakomborerwa anoita Jehovha chivando chake. Asina hanya navanozvikudza, navanotsaukira kunhema.
Jehovha Mwari wangu, mabasa enyu, anoshamisa, amakaita, mazhinji, Nemifungo yenyu kwatiri; Hapana angaenzaniswa nemi. Kana ndikada kuzvidudzira nokuzvireva, Hazvingaverengwi nokuwanda kwazvo.
Imi hamufadzwi nezvibayiro nezvipiriso; Makandidziurira nzeve dzangu; Zvipiriso zvinopiswa nezvezvivi hamuna kuzvireva.
Ipapo ndakati, Tarirai, ndauya; Parugwaro rwakapetwa ndakazvirairwa,
Ndinofara kwazvo kuita kuda kwenyu, Mwari wangu; Zvirokwazvo murayiro wenyu uri mumoyo mangu.
Ndakaparidza mashoko omufaro paungano huru; Tarirai, handingadzori miromo yangu, Jehovha, munozviziva
Handina kuvanza kururama kwenyu muwoyo mangu; Ndakadudzira kutendeka kwenyu nokuponesa kwenyu; Handina kuvanzira ungano huru unyoro hwenyu nezvokwadi yenyu.
Jehovha, imi hamungandinyimi ngoni dzenyu; Unyoro hwenyu nezvokwadi yenyu zvichandichengeta nguva dzose.
Nokuti madambudzo asingaverengwi akandikomberedza, Zvakaipa zvangu zvakandibata, naizvozvo handigoni kutarira kumusoro; Zvakawanda kupfuura vhudzi romusoro wangu, ndapera moyo.
Jehovha ngazvikufadzei kundirwira; Kurumidzai kundibatsira, Jehovha.
Ngavanyadziswe, ngavazvidzwe pamwechete. Ivo vanotsvaka mweya wangu kuti vauparadze, gavadzoserwe shure, vashorwe Ivo vanofarira kundikuvadza.
Ngavavhunduswe nokuda kwenyadzi dzavo Ivo vanoti kwandiri, Hekani, hekani waro!
Vose vanokutsvakai ngavafarise vave nomufaro mamuri, Vanoda kuponesa kwenyu ngavarambe vachiti, Jehovha ngaakudzwe!
Asi ini ndiri murombo nomushaiwi; Kunyange zvakadaro Ishe anondifunga; Imi muri mubatsiri wangu nomurwiri wangu; Regai kunonoka, Mwari wangu.

41

Akakomborerwa ane hanya navarombo Jehovha achamurwira nomusi wezvakaipa.
Jehovha achamuchengeta nokumuraramisa, achakomborerwa panyika; Hamungamuisi pakuda kwavavengi vake,
Jehovha achamutsigira panhovo yourwere; Munoshandura nhovo dzake dzose pakurwa kwake.
Ini ndakati, Jehovha, ndinzwirei tsitsi; Poresai mweya wangu; nokuti ndakakutadzirai.
Vavengi vangu vanotaura zvakaipa pamusoro pangu, vachiti, Uchagofa rinhiko, zita rake rirove?
Kana mumwe achiuya kuzondiona, anotaura zvisina maturo; moyo wake unozviunganidzira zvakaipa; Kana obuda kumwe, anozviparidza.
Vose, vanondivenga, vanoita zeve-zeve pamwechete pamusoro pangu; Vanorangana kundikuvadza,
Chinhu chakaipa chakamunamatira ndizvo zvavanotaura; Zvino zvaavata pasi, haachazomukizve.
Haiwa, kunyange shamwari yangu chaiyo, wandaivimba naye, aidya zvokudya zvangu, Naiye andisimudzira chichitsinho chake.
Asi imi Jehovha, ndinzwirei tsitsi, mundisimudzei, Kuti ndivatsive.
Ndinoziviswa nechinhu ichi kuti munofadzwa neni, Nokuti muvengi wangu haandikundi.
Kana ndirini munonditsigira pakururama kwangu, Munondiisa pamberi penyu nokusingaperi.
Jehovha, Mwari waIsiraeri, ngaavongwe, Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi Ameni, zvirokwazvo Ameni.

42

Senondo inotakwairira hova dzemvura, Saizvozvo mweya wangu unokutakwairirai imi Mwari.
Mweya wangu une nyota kuna Mwari, iye Mwari mupenyu, Ndichasvika rinhiko ndionekwe naMwari?
Misodzi yangu zvakanga zviri zvokudya zvangu masikati nousiku, Pakutaura kwavo zuva rose kwandiri vachiti, Mwari wako aripiko?
Ndinorangarira zvinhu izvi, ndichidurura mweya wangu mukati mangu, Zvokuti ndaienda navazhinji, ndichivatungamirira kuimba yaMwari Nenzwi rokufara nokurumbidza, tiri vazhinji vaitamba mutambo.
Unoshuwireiko, mweya wangu? Unoshaiwa rugare neiko mukati mangu? Tarira kuna Mwari; nokuti ndichazomurumbidza hangu, Nokuda kwokuponesa kwechiso chake.
Haiwa Mwari, mweya wangu unosuwa mukati mangu; Naizvozvo ndinokurangarirai ndiri panyika yaJorodhani, Napamakomo eHerimoni, nechikomo cheMizari.
Pakadzika panodana pakadzika pakutinhira kwamapopopo enyu; Mafungu enyu namapoporodzi enyu akapfuura napamusoro pangu.
Asi Jehovha acharaira unyoro hwake panguva yamasikati, Usiku rwiyo rwake ruchava neni, Uye munyengetero kuna Mwari woupenyu hwangu.
Ndichati kuna Mwari, dombo rangu, Makandikanganwireiko? Ndinofambireiko ndichichema nemhaka yokumanikidza kwomuvengi wangu?
Zvakafanana nomunondo pamapfupa angu, kana vadzivisi vangu vachindizvidza; Kana vachiramba vachiti kwandiri, Mwari wako aripiko?
Unoshuwireiko, mweya wangu? Unoshaiwa rugare neiko mukati mangu? Tarira kuna Mwari; nokuti ndichazomurumbidza hangu, Iye muponesi wechiso changu, naMwari wangu.

43

Nditongerei Mwari, mundireverere pamhosva yangu parudzi rusina tsitsi; Ndirwirei pamunhu anonyengera asina kururama.
Nokuti ndimi Mwari simba rangu; mandirasireiko? Ndinofambireiko ndichichema nokuda kwokumanikidza kwomuvengi?
Tumai chiedza chenyu nezvokwadi yenyu; zvinditungamirire; Zvindisvitse kugomo renyu dzvene, Nokutabhenakeri dzenyu.
Ipapo ndichasvika kuaritari yaMwari, Kuna Mwari, iye mufaro wangu mukuru; Ndichakurumbidzai nembira, imi Mwari, Mwari wangu.
Unosuwireiko, mweya wangu? Unoshaiwa rugare neiko mukati mangu? Tarira kuna Mwari; nokuti ndichazomurumbidza hangu, Iye muponesi wechiso changu, naMwari wangu.

44

Mwari, takanzwa nenzeve dzedu, madzibaba edu akatiudza, Basa ramakabata pamisi yavo, napamisi yekare.
Makadzinga vahedheni noruoko rwenyu, mukavasima ivo; Makatambudza ndudzi dzavanhu mukavaparadzira ivo.
Nokuti havana kuzviwanira nyika nomunondo wavo, Ruoko rwavo haruna kuvaponesa; Asi chanza chenyu chorudyi, noruoko rwenyu, nechiedza chechiso chenyu, Nokuti maivafarira.
Ndimi Mambo wangu, imi Mwari; Rairai kuti Jakobho akunde.
Nemi tichawisira pasi vadzivisi vedu; Nezita renyu tichatsika pasi vanotimukira.
Nokuti handingavimbi nouta hwangu, Nomunondo wangu haungandiponesi.
Asi imi makatiponesa pavadzivisi vedu, Mukanyadzisa vanotivenga.
Takazvirumbidza zuva rose munaMwari, Tichavonga zita renyu nokusingaperi.
Asi zvino makatirasha henyu, mukatinyadzisa; Hamuchafambi nehondo dzedu.
Munotitizisa pamberi pavadzivisi; Vanotivenga vanozvipambira.
Makatiisa samakwai akatarirwa kubayiwa; Makatiparadzira pakati pavahedheni.
Munotengesa vanhu venyu musina chamunopiwa, Hamuna kuwedzera fuma yenyu nomutengo wavo.
Munotiita vanhu vanosekwa navatinogara navo, Vanhu vanozvidzwa nokusekwa navakatikomberedza.
Munotiita shumo pakati pavahedheni, Vanhu vanotidzungudzira misoro.
Zuva rose kuzvidzwa kwangu kuri pamberi pangu, Kunyara kwechiso changu kwakandifukidza.
Nokuda kwenzwi romutuki nomuzvidzi; Nokuda kwomuvengi nomutsivi.
Izvi zvose zvakatiwira; kunyange zvakadaro hatina kukukanganwai, Hatina kunyengedzera pasungano yenyu.
moyo yedu haina kudzokera shure, Kutsika kwedu hakuna kutsauka panzira yenyu;
Kunyange makatipwanya-pwanya panzvimbo yamakava, Mukatifukidza nomumvuri worufu.
Kana tichinge takanganwa zita raMwari wedu, Kana kutambanudzira maoko edu kunaMwari wavamwe;
Ko Mwari haanganzveri izvozvo here? Nokuti iye anoziva zvakavanzika zvomoyo.
Zvirokwazvo, nokuda kwenyu tinourawa zuva rose; Tinonzi tiri makwai akatarirwa kubayiwa.
Mukai, munovatireiko, Ishe? Mukai, musatirasha nokusingaperi.
Munovanzireiko chiso chenyu, Muchikanganwa kutambudzika kwedu nokumanikidzwa kwedu?
Nokuti mweya wedu wakotamira kuguruva; Dumbu redu rinonamatira pavhu.
Simukai mutibatsire, Mutidzikunure nokuda kwounyoro hwenyu.

45

moyo wangu unotutuma namashoko akanaka; Ndinotaura zvinhu zvandakaita zvinoreva mambo; Rurimi rwangu ipeni yomunyori anokurumidza kunyora.
Imi makanaka-naka kupfuura vana vavanhu; Nyasha yakadururirwa pamiromo yenyu; Saka Mwari wakakuropafadzai nokusingaperi.
Sungai munondo wenyu pachiuno chenyu, imi wamasimba, Ukuru hwenyu nohumambo hwenyu.
Fambai noumambo hwenyu muchikunda, Nokuda kwezvokwadi nounyoro nokururama; Ruoko rwenyu rworudyi ngarukudzidzisei zvinotyisa.
Miseve yenyu inopinza; Vanhu vanokundwa nemi; Inobaya pamoyo yavavengi vamambo.
Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chiripo nokusingaperi-peri; Tsvimbo youshe hwenyu itsvimbo yakarurama.
Makada kururama, mukavenga kusarurama; Naizvozvo Mwari, Mwari wenyu wakakuzodzai Namafuta okufara kupfuura shamwari dzenyu.
nguvo dzenyu dzose dzinonhuwira nemura nearosi neakasia; Madimbwa akakufadzai achiridzwa mudzimba dzamambo dzenyanga dzenzou.
Vakunda vamadzimambo vari pakati pavanhukadzi venyu vanokudzwa; Paruoko rwenyu rworudyi vahosi vamire vakashonga ndarama yeOfiri.
Teerera mukunda, rangarira, urereke nzeve yako; Kanganwawo vanhu vako, neimba yababa vako;
Ipapo mambo achada kunaka kwako; Nokuti ndiye Ishe wako; unamate kwaari iwe.
Uye mukunda weTiro achavapo nechipo; Vafumi pakati pavanhu vachakumbira ngoni dzako.
Mukunda wamambo akanaka kwazvo-kwazvo mukati meimba yamambo; nguvo dzake dzakarukwa nendarama.
Uchaperekwa kuna mambo nenguvo dzakarukwa dzinamavara; Mhandara, shamwari dzake dzinomutevera, Vachaiswa kwamuri.
Vachaperekwa nomufaro nokufarisisa; Vachapinda mumba mamambo.
Panzvimbo yamadzibaba ako vana vako vachavapo, Vauchaita machinda panyika yose.
Ndichayeudzira zita renyu kusvikira kumarudzi ose; Naizvozvo ndudzi dzavanhu dzichakuvongai nokusingaperi-peri.

46

Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, Ndiye mubatsiri ari pedo-pedo panguva dzokumanikidzwa.
Saka hatingatyi, kunyange nyika ikashanduka, Uye kunyange makomo akabviswa akaiswa mukati mamakungwa;
Kunyange mvura zhinji yawo yotinhira nokumutswa, Kunyange makomo akadedera nokupupuma kwawo.
Rwizi rwuripo nehova dzinofadza guta raMwari, Iyo nzvimbo tsvene yetabhenakeri dzoWokumusorosoro.
Mwari ari mukati maro; haringazununguswi; Mwari acharibatsira kana utonga hwotsvuka.
Vahedheni vakaita bope, ushe hwakazununguswa; Akataura nenzwi rake, nyika ikanyauka.
Jehovha wehondo anesu; Mwari waJakobho inhare yedu.
Uyai muone mabasa aJehovha, Zvishamiso zvaakaita panyika.
Anogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika; Anovhuna uta, nokuvhuna-vhuna pfumo; Anopisa ngoro dzokurwa nomoto.
Nyararai, muzive kuti ndini Mwari; Ndichava mukuru pakati pavahedheni, ndichava mukuru panyika.
Jehovha wehondo anesu; Mwari waJakobho inhare yedu.

47

Uchirai, imi vanhu vose! Pururudzai kuna Mwari nenzwi romufaro mukuru!
Nokuti Jehovha wokumusoro-soro anotyisa; Ndiye Mambo mukuru panyika yose.
Ndiye anotikundisa ndudzi dzavanhu, Nendudzi pasi petsoka dzedu.
Ndiye anotitsaurira nhaka yedu, Iyo fuma yaJakobho waanoda.
Mwari akwira nokudanidzira, Jehovha nokurira kwehwamanda.
Imbirai Mwari nziyo dzokurumbidza, muimbirei nziyo dzokurumbidza; Imbirai Mambo wedu nziyo dzokurumbidza, muimbirei nziyo dzokurumbidza.
Nokuti Mwari ndiye Mambo wapasi pose; Muimbirei rwiyo rwakanaka rwokumurumbidza.
Mwari anobata ushe hwavahedheni; Mwari agere pachigaro chake chitsvene choushe.
Machinda avanhu aungana pamwechete navanhu vaMwari waAbhurahamu; Nokuti nhovo dzapasi pose ndedzaMwari; Ndiye mukuru-kuru kwazvo.

48

Jehovha mukuru, anofanira kurumbidzwa kwazvo, Muguta raMwari wedu, mugomo rake dzvene.
Rakanaka pakukwirira kwaro, mufaro wapasi pose, Ndizvo zvakaita gomo reZiyoni, pamativi okumusoro, Ndizvo zvakaita guta raMambo mukuru.
Padzimba dzaro dzamambo Mwari wakazviratidza kuti ndiye nhare.
Nokuti tarirai, madzimambo akaungana, Akapfuura pamwechete.
Vakariona, vakashamiswa; Vakavhunduka, vakakurumidza kutiza.
Vakabatwapo nokudedera; Nokurwadziwa, somukadzi anopona.
Munoputsa zvikepe zveTarishishi, Nemhepo, inobva mabvazuva.
Sezvatakanzwa, ndizvo zvatakaona Paguta raJehovha wehondo, iro guta raMwari wedu; Mwari acharisimbisa nokusingaperi.
Takafunga unyoro hwenyu, Mwari, Mukati metemberi yenyu.
Sezvakaita zita renyu, Mwari, Ndizvo zvakaitawo kurumbidzwa kwenyu kusvikira kumigumo yapasi pose; Ruoko rwenyu rworudyi ruzere nokururama.
Gomo reZiyoni ngarifare, Vakunda vaJudha ngavafare kwazvo, Nokuda kwezvamakatonga.
Poteredzai Ziyoni, mupote naro, Muverenge shongwe dzaro.
Cherekedzai zvakanaka nhare dzaro, Fambai pakati pedzimba dzaro dzamambo; Kuti muzoudza vazukuru venyu vanotevera.
Nokuti Mwari ndiye Mwari wedu nokusingaperi-peri; Iye achava muperekedzi wedu kusvikira pakufa.

49

Inzwai chinhu ichi, imi vanhu vose; Teererai, imi mose mugere panyika;
Imi vaduku navanokudzwa, Vafumi navarombo pamwechete.
Muromo wangu uchataura huchenjeri; Uye kufunga kwomoyo wangu kuchava nenjere.
Ndicharerekera nzeve yangu inzwe mufananidzo; Ndichadudza shoko rangu rakavanzika nembira.
Ndichatya neiko pamisi yezvakaipa, Kana zvakaipa, zvavanoda kundidzinga, zvichindikomba?
Ivo, vanovimba nefuma yavo, Vanozvikudza pamusoro pokuwanda kwefuma yavo;
Hapana angatongodzikunura hama yake, Kana kupa Mwari rudzikunuro pamusoro pake;
(Nokuti rudzikunuro rwemweya yawo runokosha, Runofanira kuregwa nokusingaperi;)
Kuti arambe ari mupenyu misi yose, Arege kuona kuora.
Nokuti anoona kuti vachenjeri vanofa, Benzi neasina njere vanopera pamwechete, Vachisiyira vamwe fuma yavo.
Vanofunga pamoyo pavo kuti dzimba dzavo dzichagara nokusingaperi, Nougaro hwavo kusvikira kumarudzi avo ose; Nyika dzavo vanodzitumidza mazita avo.
Asi munhu haagari achikudzwa, Akafanana nemhuka dzinopera.
Iyi ndiyo nzira yamapenzi; Kunyange zvakadaro vanhu vanovatevera vachitenda zvavanotaura.
Vakatarirwa Sheori samakwai; Rufu ruchava mufudzi wavo; Vakarurama vachabata ushe pamusoro pavo mangwanani; Kunaka kwavo kuchangoparadzwa neSheori, kuti kurege kuva nougaro.
Asi Mwari achadzikunura mweya wangu pasimba reSheori; Nokuti iye achandigamuchira.
Usatya hako iwe kana mumwe munhu achifumiswa, Kana fuma yeimba yake ichiwedzerwa;
Nokuti kana achifa hapana chaachaenda nacho; Mukurumbira wake haungaburuki uchimutevera.
Kunyange paupenyu hwake waikorokotedza mweya wake, (Kunyange vanhu vaikurumbidza kana uchizviitira zvakanaka),
Achaenda iye kurudzi rwamadzibaba ake; Ivo havangatongooni chiedza nokusingaperi.
Munhu, anokudzwa, asina njere, Akafanana nemhuka dzinopera.

50

Mwari, iye Mwari, Jehovha, ndiye akataura, Akadana pasi pose kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro.
Mwari akapenya Ari paZiyoni, iro rakanaka-naka kwazvo.
Mwari wedu anouya, haangarambi anyerere; Moto unoparadza pamberi pake, Dutu guru rinomukomberedza.
Anodana denga kumusoro, Napasi, kuti atongere vanhu vake;
Unganidzirai vatsvene vangu kwandiri; Ivo vakaita sungano neni nezvibayiro.
Kudenga-denga kunodudzira kururama kwake; Nokuti Mwari ndiye mutongi amene.
Inzwai vanhu vangu, ndichataura; Imi Isiraeri, ndichakupupurirai, Ndini Mwari, iye Mwari wenyu.
Handingakutukiyi pamusoro pezvibayiro zvenyu; Zvipiriso zvenyu zvinopiswa zviri pamberi pangu nguva dzose.
Handingatori nzombe paimba yako, Kana nhongo dzembudzi pazvirugu zvako.
Nokuti mhuka dzose, dziri kudondo, ndedzangu, Nemombe pamakomo ane chiuru chamazana.
Ndinoziva shiri dzose dzomumakomo; Mhuka dzose, dziri musango, ndedzangu.
Kana ndaiva nenzara, handizaikuudza iwe; Nokuti nyika ndeyangu, nezvaizere nazvo.
Ko ndingadya nyama yehando, Kana kunwa ropa rembudzi here?
Bayirai Mwari zvibayiro zvokuvonga; Uripire Wokumusorosoro mhiko dzako;
Udane kwandiri pazuva rokutambudzika; Ini ndichakurwira, iwe ugondirumbidza.
Asi kuneakaipa Jehovha anoti, Iwe ungadudzira seiko zvandakatema, Nokureva sungano yangu nomuromo wako?
Zvaunovenga kurairwa, Nokurasha mashoko angu shure kwako.
Wakati uchiona mbavha, ukafarirana nayo, Unoshamwaridzana nemhombwe.
Unotendera muromo wako kureva zvakaipa, Rurimi rwako runotaura nhema.
Unogara uchipomera hama yako; Unoita makuhwa pamusoro pomwanakomana wamai vako.
Zvinhu izvi wakazviita, ndikaramba ndinyerere; Wakafunga kuti ini ndakafanana newe chose; Asi ndichakuraira, ndichirongedzera zvinhu izvi pameso ako.
Zvino fungai chinhu ichi, imi vokukanganwa Mwari, Ndirege kukubvamburai, mukashaiwa murwiri,
Munhu, anobayira chibayiro chokuvonga, unondikudza; Uye anogadzira nzira yake zvakanaka Ndichamuratidza kuponesa kwaMwari.

51

Ndinzwirei tsitsi, Mwari nokuda kwounyoro hwenyu; Dzimai kudarika kwangu nokuda kwengoni dzenyu zhinji.
Ndisukei zvakaipa zvangu chose, Ndinatsei chivi changu.
Nokuti ndinoziva kudarika kwangu; Chivi changu chinogara chiri pamberi pangu.
Ndakakutadzirai imi, iyemi moga, Ndakaita chinhu chakaipa pamberi penyu; Kuti munzi makarurama pakutaura kwenyu, Muve usina mhosva pakutonga kwenyu.
Tarirai, ndakaberekerwa muzvakaipa; Mai vangu vakandigamuchira muzvivi.
Tarirai, munoda zvokwadi pamoyo; Munoda kundidzidzisa uchenjeri mukati makavanda.
Ndinatsei nehisopi, ndive akanaka, Ndishambidzei, ndichene kupfuura mazayi echando.
Ndinzwisei mufaro ndive nomoyo muchena; Kuti mapfupa amakavhuna afare.
Vanzirai zvivi zvangu chiso chenyu, Dzimai zvakaipa zvangu zvose.
Sikai mukati mangu moyo wakachena, Mwari; Vandudzai mukati mangu mweya wakarurama.
Regai kundirasha pamberi penyu; Musabvisa mweya wenyu mutsvene kwandiri.
Dzoseraizve kwandiri mufaro wokuponesa kwenyu; Nditsigirei nomweya, unoda.
Ipapo ndichadzidzisa vadariki nzira dzenyu; Uye vatadzi vachatendeukira kwamuri.
Ndirwirei pamhosva yeropa, Mwari, imi Mwari muponesi wangu; Ipapo rurimi rwangu ruchaimbira kururama kwenyu kwazvo.
Ishe, zarurai miromo yangu; Ipapo muromo wangu uchaparidza kurumbidzwa kwenyu.
Nokuti imi hamufariri zvibayiro; ndingadai ndaikupai izvo; Hamufadzwi nechipiriso chinopiswa.
Zvibayiro zvaMwari mweya wakaputsika; moyo wakaputsika nowakapwanyika, imi Mwari hamungaushori.
Itirai Ziyoni zvakanaka nokuda kwenyu; Vakai masvingo eJerusaremu.
Ipapo muchafarira zvibayiro zvakarurama, nechipiriso chinopiswa nechipiriso chinopiswa chose; Ipapo vachabayira nzombe paaritari yenyu.

52

Unozvirumbidzireiko nezvakashata, iwe mhare? Tsitsi dzaMwari dziripo misi yose.
Rurimi rwako runofunga kutaura zvakaipa; Rwakafanana nechisvo chinopinza, ruchiita zvinonyengera.
Unoda zvakaipa kupfuura zvakanaka; Nokureva nhema kupfuura kutaura zvakarurama.
Unoda mashoko ose okuparadza, Iwe rurimi runonyengera.
Mwari achakuparadzawo saizvozvo nokusingaperi, Achakubata akakubvisa patende rako, nokukudzura panyika yavapenyu.
Vakarurama vachazviona vakatya, Vachamuseka, vachiti,
Tarirai, hoyu munhu asina kuita Mwari nhare yake, Asi akavimba nokuwanda kwefuma yake, Akazvisimbisa pazvakaipa zvake.
Asi kana ndirini, ndakafanana nomuorivhi munyoro muimba yaMwari; Ndinovimba netsitsi dzaMwari nokusingaperi-peri.
Ndichakuvongai nokusingaperi, nokuti ndimi makazviita; Ndichamirira zita renyu pamberi pavatsvene venyu nokuti rakanaka.

53

Benzi rakati mumoyo maro, Mwari hakuna . Vakaora, vakaita zvakaipa zvinonyangadza; Hakuna anoita zvakanaka.
Mwari, ari kudenga, wakatarira pasi kuvana vavanhu, Kuti aone kana akachenjera aripo, Anotsvaka Mwari.
Mumwe nomumwe wavo akadzokera shure; vakasvibiswa pamwechete; Hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwe.
Ko vaiti vezvakaipa havana zivo here? Ivo vanodya vanhu vangu sechingwa, Vasingadani kuna Mwari.
Vaitya kwazvo ipapo, pakanga pasina chinotyisa; Nokuti Mwari akaparadza mapfupa aiye akanga akakukomba; Iwe wakavanyadzisa, nokuti Mwari akavarasha.
Dai kuponeswa kwaIsiraeri kwaibva paZiyoni! Kana Mwari achidzosa vanhu vake pakutapwa, Ipapo Jakobho achafara kwazvo naIsiraeri achafara.

54

Ndirwirei Mwari, nezita renyu, Nditongerei nesimba renyu.
Inzwai munyengetero wangu, Mwari; Rerekerai nzeve yenyu munzwe mashoko omuromo wangu.
Nokuti vatorwa vakandimukira, Vamanikidzi vakatsvaka mweya wangu. Havana kuisa Mwari pamberi pavo.
Tarirai, Mwari ndiye mubatsiri wangu. Ishe ari pakati pavanotsigira mweya wangu.
Achatsiva zvakaipa kuvavengi vangu; Muvaparadze nokutendeka kwenyu.
Ndichakubayirai nechipiriso chokungopa nokuzvidira, Ndichavonga zita renyu, Jehovha, nokuti rakanaka.
Nokuti akandirwira pakutambudzika kwose; Ziso rangu rakaona kukundwa kwavavengi vangu.

55

Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu, Mwari; Regai kuzvivanza pakukumbira kwangu.
Nditeererei, mundipindure; . Ndinoshaiwa zororo mukuchema kwangu, ndichivuvura;
Nokuda kwenzwi romuvengi, Nokuda kwokumanikidza kwowakaipa; , Nokuti vanondipomera zvakaipa, Vanonditambudza nokutsamwa kwavo.
moyo wangu unorwadziwa kwazvo mukati mangu; Garudzo rorufu rakandiwira,
Kutya nokubvunda zvakandiwira. Kutya kukuru kwakandifukidza.
Ini ndakati, Haiwa, dai ndaiva namapapiro senjiva! Ndaibhururuka, ndikandozorora.
Tarirai, ndingadai ndaitizira kure, Ndaindogara kurenje.
Ndaikurumidza kundovanda, Nditize mhepo inovhuvhuta nedutu guru.
Paradzai, Ishe mukanganise marimi avo; Nokuti ndakaona kumanikidza nokurwa muguta.
Masikati novusiku vanoripoteredza pamasvingo aro; Zvakaipawo nezvakashata zviri mukati maro.
Kushata kuri pakati paro; Kumanikidza nokunyengera hazvibvi panzira dzaro.
Nokuti akanga asi muvengi akandishora; Ipapo ndaigona kutsunga; Akanga asi iye aindivenga akazvikudza kwandiri; Ipapo ndaimuvanda.
Asi wakanga uriwe, munhu wakaenzana neni, Shamwari yangu, nomuzikanwi wangu.
Taisirangana zvakanaka, Taifamba mumba maMwari pamwechete navanhu vazhinji.
Rufu ngaruvawire kamwe-kamwe, Ngavaburikire kuSheori vari vapenyu; Nokuti kushata kuri paugaro hwavo, imo mukati mavo.
Kana ndirini, ndichadana kuna Mwari; Jehovha achandiponesa.
Madekwana namangwanani namasikati ndichachema ndichivuvura; Iye achanzwa inzwi rangu.
Wakadzikunura mweya wangu norugare, kukasava nomumwe akaswedera kwandiri; Nokuti vakanga vachirwa neni, vaiva vazhinji.
Mwari achanzwa, achavapindura, Iye aripo kare nakare, Nokuti havashanduki, Havatyi Mwari.
Wakatambanudzira maoko ake kuna vaiva norugare naye; Wakashora sungano yake.
Mashoko omuromo wake akatedza samafuta, Asi kurwa kwakanga kuri pamoyo pake; Mashoko ake akanga ari manyoro kupfuura mafuta, Kunyange zvakadaro yaiva minondo yakavhomorwa.
Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye achakusimbisa; Haangatongotenderi akarurama kuti azununguswe.
Asi imi Mwari muchavaburusira kugomba rokuparadzwa; Vanhu vanokarira ropa navanonyengera havangapedzi hafu yamazuva avo; Asi ini ndichavimba nemi.

56

Ndinzwirei tsitsi, Mwari; nokuti vanhu vanotsvaka kundimedza; Zuva rose vanorwa neni vachindimanikidza.
Vavengi vangu vanoda kundimedza zuva rose; Nokuti vanorwa neni vachizvikudza vazhinji.
Panguva yandinotya, Ndichavimba nemi.
MunaMwari ndicharumbidza shoko rake; Ndakavimba naMwari, handingatyi; Nyama ingandiiteiko?
Zuva rose vanoshandura mashoko angu; Mifungo yavo yose inondifungira zvakaipa.
Vanoungana, vanovanda, Vanocherekedza makwara angu, Kana vachivandira mweya wangu.
Vachapukunyuka nenzira yezvakaipa here? Paradzai vanhu nokutsamwa kwenyu, Mwari.
Imi munoverenga madzungairiro angu; Isai misodzi yangu mumidziyo yenyu; Haizi murugwaro rwenyu here?
ipapo vavengi vangu vachadzokera shure nomusi wandinodana; Ndinoziva chinhu ichi, kuti Mwari ari kurutivi rwangu.
MunaMwari ndicharumbidza shoko rake; MunaJehovha ndicharumbidza shoko rake.
Ndakavimba naMwari, handingatyi; Vanhu vangandiiteiko?
Ndinosungwa nezvandakakupikirai Mwari; Ndichakuvigirai zvipiriso zvokuvonga nazvo.
Nokuti makarwira mweya wangu parufu; Namakumbo angu pakugumburwa. Kuti ndifambe pamberi paMwari Muchiedza choupenyu.

57

. Ndinzwirei tsitsi, Mwari, ndinzwirei tsitsi; Nokuti mweya wangu unotizira kwamuri; Zvirokwazvo, ndichatizira kumumvuri wamapapiro enyu, Kusvikira njodzi dzapfuura.
Ndichadanidzira kuna Mwari Wokumusorosoro; Kuna Mwari anondiitira zvose.
Achatuma mubatsiri ari kudenga, andiponese, Kana iye, anovavarira kundimedza, achindishora; Mwari achatuma tsitsi dzake nezvokwadi yake.
Mweya wangu uri pakati peshumba; Ndinovata pasi pakati pavanopfuta somoto, Ivo vanakomana vavanhu, vana meno anenge mapfumo nemiseve, Uye rurimi rwavo munondo unopinza.
Imwi mukudzwe Mwari, pamusoro pokudenga-denga; Kurumbidzwa kwenyu ngakuve kumusoro kwapasi pose.
Vakateyira tsoka dzangu mumbure; Mweya wangu wakakotamiswa; Vakachera hunza pamberi pangu; Vawira mukati mayo vamene.
moyo wangu wakasimba, Mwari, moyo wangu wakasimba; Ndichaimba, zvirokwazvo, ndichaimba nziyo dzokurumbidza.
Muka iwe moyo wangu, muka iwe mutengeranwa nembira; Ini ndimene ndichamuka mangwanani.
Ndichakuvongai, Ishe, pakati pendudzi dzavanhu; Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza pakati pavahedheni.
Nokuti ngoni dzenyu ihuru kusvikira kudenga-denga, Zvokwadi yenyu inosvikira kudenga rose.
Imi mukudzwe Mwari, kumusoro kwokudenga-denga; Kurumbidzwa kwenyu ngakuve kumusoro kwapasi pose.

58

Munototaura zvakarurama here, imi vane simba, Munotongera vanakomana vavanhu zvakarurama here?
Zvirokwazvo, mumoyo menyu munoita zvakaipa; Munoyerera vanhu pasi pose kumanikidza kwamaoko enyu.
Vakaipa vakava vatorwa kubva padumbu ramai; Vanotsauka vachangozvarwa, vachireva nhema.
Uturu hwavo hwakafanana nouturu hwenyoka; Vakafanana nechiva chisinganzwi, chinodzivira nzeve yacho;
Chisingateereri inzwi renanga, Kunyange achiimba nouchenjeri hukuru.
Mwari vhunai meno avo avo mumuromo mavo; Jehovha gurai meno makuru avana veshumba.
Ngavapwe semvura inoyerera; Kana achishumba nemiseve yake, ngaive seyakagurika.
Ngavafanane nehozhwa inonyakatika ichipera; Segambamwedzi romukadzi risina kuona zuva.
Hari dzenyu dzisati dzanzwa moto neweminzwa, Iye achadzibvisa nechamupupuri nyama igere, nomoto pamwechete.
Akarurama achafara kana achiona kutsiva; Achashambidza tsoka dzake muropa ravakaipa.
Naizvozvo vanhu vachati, Zvirokwazvo mubayiro wowakarurama uripo; Zvirokwazvo Mwari aripo, anotonga pasi pose.

59

Ndirwirei pavavengi vangu, Mwari wangu; Ndiisei pakakwirira kure navanondimukira.
Ndirwirei pavaiti vezvakaipa, Ndiponesei pavanhu veropa.
Nokuti tarirai, vanovandira mweya wangu; Vane simba vakaungana kuzorwa neni; Hakuzi nokuda kwokudarika kwangu kana kwezvivi zvangu, Jehovha.
Vanomhanya nokuzvigadzira, ini ndisina mhosva hangu; Mukai mundibatsire, muone.
Iyemi Jehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri, Mukai mushanyire vahedheni vose; Musanzwira tsitsi mudariki upi noupi akaipa.
Vanodzoka madekwana, vanohuhudza sembwa, Vanopota neguta.
Tarirai, vanodzvova nemiromo Minondo iri pamiromo yavo; Nokuti vanoti, Ndianiko anganzwa?
Asi imi Jehovha muchavaseka; Muchadadira vahedheni vose.
Imi simba rangu, ndichakumirirai; Nokuti Mwari ndiye nhare yangu yakakwirira.
Mwari wangu achandichingura netsitsi dzake; Mwari achandionesa kukundwa kwavavengi vangu.
Musavauraya, kuti vanhu vangu varege kukanganwa; Muvaparadzire nesimba renyu, muvawisire pasi, Ishe nhovo yedu.
Nokuda kwechivi chomuromo wavo, namashoko emiromo yavo, Ngavabatwe pakuzvikudza kwavo, Uye nokuda kwokutuka nenhema dzavanotaura.
Vapedzei nehasha, vapedzei, varege kuzovapo; Ngavazive kuti Mwari anobata ushe pakati paJakobho, Kusvikira kumigumo yenyika.
Panguva yamadekwana ngavadzoke, ngavahuhudze sembwa, Ngavapote-pote neguta.
Vachadzungaira vachitsvaka zvokudya, Vachagara usiku hwose kana vasingaguti.
Asi ini ndichaimba ndichireva simba renyu; Zvirokwazvo ndicharumbidza tsitsi dzenyu mangwanani; Nokuti makanga muri nhare yangu yakakwirira, Noutiziro hwangu pazuva rokutambudzika kwangu.
Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza, imi simba rangu; Nokuti Mwari ndiye nhare yangu yakakwirira, iye Mwari anondinzwira tsitsi.

60

Mwari, makatirasha, makatiparadza; Makanga makatsamwa; Haiwa, tidzorei.
Makabvundisa nyika; makaitsemura; Gadzirai mitswe yayo; nokuti inozununguka.
Makaratidza vanhu venyu zvinhu zvinorema; Makatinwisa waini inobata.
Makapa vanokutyai mureza, Kuti uratidzwe nokuda kwezvokwadi.
Kuti vadikanwi venyu varwirwe, Tiponesei noruoko rwenyu rworudyi, mutipindure.
Mwari akataura pautsvene hwake, achiti, Ndichafara kwazvo; Ndichaganhura Shekemu, ndichayera mupata weSukoti.
Giriyadhi ndeyangu Manase ndeyangu; Efuremuwo inhawiro yomusoro wangu; Judha ndiyo tsvimbo yangu youshe.
Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambidzira; Pamusoro peEdhomu ndipo pandichakandira shangu yangu; Iwe Firisitia, pururudza nokuda kwangu.
Ndianiko achandiisa muguta rakasimba? Ndianiko achandiperekedza ndiende Edhomu?
Hamuna kutirasha here, Mwari? Hamubudi Mwari, nehondo dzedu.
Tibatsirei pamudzivisi wedu; Nokuti kubatsira kwavanhu hakuna maturo.
Muna Mwari tichaita noumhare; Nokuti ndiye achatsikira vadzivisi vedu pasi.

61

Inzwai kuchema kwangu, Mwari, Teererai munyengetero wangu.
Ndichadana kwamuri ndiri pamugumo wapasi, kana moyo wangu waziya; Ndiperekedzerei kudombo randisingasvikiri.
Nokuti imi makanga muri utiziro hwangu, Neshongwe yangu yakasimba kwandingatiza muvengi wangu.
Ndichagara patende renyu nokusingaperi; Ndichavanda munyasi mamapapiro enyu.
Nokuti imi Mwari makanzwa mhiko dzangu; Makadzosa nhaka yavanotya zita renyu.
Muchawedzera mazuva ohupenyu hwamambo; Makore ake achaenzana naamarudzi mazhinji.
Achagara pamberi paMwari nokusingaperi; Mumugadzirire unyoro nezvokwadi, kuti zvimuchengete.
Naizvozvo ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza nokusingaperi, Kuti ndiite mhiko dzangu zuva rimwe nerimwe.

62

Zvirokwazvo, mweya wangu unongorindira Mwari; Kwaari ndiko kunobva kuponeswa kwangu.
Ndiye oga dombo rangu nomuponesi wangu; Ndiye shongwe yangu yakakwirira; handingazununguswi zvikuru.
Muchavavarira munhu kusvikira rinhiko, Kuti mumuuraye imi mose, Sorusvingo runoda kuwa, noruzhowa runotsveyama?
Vanongorangana kuti vamusundire pasi abve paukuru hwake; Vanofarira nhema; Vanoropafadza nomuromo wavo, asi vanotuka mumoyo mavo.
Mweya wangu, rindira Mwari zvirokwazvo Nokuti ndinomutarira iye.
Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu; Ndiye shongwe yangu yakakwirira; handingazununguswi.
Kuna Mwari ndiko kunokuponeswa kwangu nokukudzwa kwangu; Dombo resimba rangu noutiziro hwangu zviri kuna Mwari.
Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu; Dururai moyo yenyu pamberi pake; Mwari ndiye utiziro hwedu.
Zvirokwazvo vanhu vasingakudzwi mweya chete, uye vanhu vanokudzwa inhema; Pakuyerwa havaremi; Vose pamwechete vakareruka kupfuura mweya.
Regai kuvimba nokumanikidza, Regai kuzvikudza pamusoro pokupambara; Kana fuma ichiwanda, regai kuinamatira nomoyo.
Mwari akataura kamwechete, Ndakazvinzwa kaviri; Kuti simba nderaMwari;
Netsitsiwo ndedzenyu, Ishe; Nokuti munoitira munhu mumwe nomumwe sezvaakabata.

63

Mwari, imi muri Mwari wangu; ndichakutsvakai mangwanani; Mweya wangu unenyota kwamuri, nyama yangu inokushuvai, Panyika yakaoma, inonzwisa nyota, isina mvura.
Naizvozvo ndakatarira kwamuri panzvimbo tsvene, Kuti ndione simba renyu nokubwinya kwenyu.
Nokuti unyoro hwenyu hunokunda upenyu; Miromo yangu ichakurumbidzai.
Naizvozvo ndichakuvongai ndichiri mupenyu; Ndichasimudza maoko angu nezita renyu.
Mweya wangu uchaguta nezvinenge mwongo namafuta; Muromo wangu uchakurumbidzai nemiromo inofara kwazvo;
Kana ndichikurangarirai panhovo yangu, Ndichikufungai panguva dzousiku.
Nokuti makanga muri mubatsiri wangu, Pamumvuri wamapapiro enyu ndipo pandichafara kwazvo.
Mweya wangu unokunamatirai nesimba rose; Ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira.
Asi avo, vanotsvaka kuparadza mweya wangu, Vachapinda munzvimbo dzapasi dzenyika.
Vachaiswa pasimba romunondo; Vachava mugove wamakava.
Asi mambo achafara munaMwari; Mumwe nomumwe anopika naye achafara kwazvo; Nokuti muromo wavanoreva nhema uchadzivirwa.

64

Inzwai inzwi rangu, Mwari, pakuchema kwangu; Chengetai upenyu hwangu ndirege kutyiswa nomuvengi.
Ndivanzei pakurangana kwakavanda kwavanoita zvakaipa; Pabope ravanobata zvakaipa;
Ivo vakarodza rurimi rwavo somunondo, Vakashumba miseve yavo, iwo mashoko anovava;
Kuti vafure akarurama, vakavanda ivo; Kamwe-kamwe vanomufura, vasingatyi.
Vanotsungirira pazano rakaipa; Vanorangana kuteya misungo pakavanda; Vanoti, Ndianiko angazviona?
Vanofungisa zvakaipa; Vanoti, Tapedza kufungisa zano guru; Kufunga kwomukati kwomumwe nomumwe, nomoyo, zvakadzika.
Asi Mwari achavapfura, Vachakuvadzwa kamwe-kamwe nomuseve.
Naizvozvo vachagumbuswa, ndimi dzavo dzichivapupurira zvakaipa; Vose vanovaona vachadzungudza musoro.
Vanhu vose vachatya; Vachaparidza basa raMwari, Vachicherekedza zvakanaka zvaanoita.
Vakarurama vachafara muna Jehovha, vachavimba naye; Vose vane moyo yakarurama vachafara kwazvo.

65

Imi Mwari munofanira kurumbidzwa paZiyoni; Imi munofanira kuitirwa mhiko.
Imi vokunzwa munyengetero, Vanhu vose vanofanira kuuya kwamuri.
Mashoko akaipa ondikunda; Kana kuri kudarika kwedu muchakudzima imi.
Akaropafadzwa munhu wamunosanangura, wamunoswededza kwamuri, Kuti agare pavazhe dzenyu; Isu tichagutiswa nounaki hweimba yenyu, Iyo nzvimbo tsvene yetemberi yenyu.
Mukururama kwenyu munotipindura nezvinhu zvinotyisa, Imi Mwari muponesi wedu; Imi chivimbo chamativi ose apasi, Navari kure pagungwa;
Iye, anoteya makomo nesimba rake; Iye, akasungwa chiuno nesimba;
Iye, unonyaradza kutinhira kwamakungwa, iko kutinhira kwamafungo awo, Nokupopota kwavanhu.
Naivo vagere kumigumo vanotya zviratidzo zvenyu; Munofadza mabudiro amangwanani naamadeko.
Munoshanyira pasi, munopadiridza, Munopafumisa kwazvo; Rwizi rwaMwari ruzere nemvura; Munovagadzirira zviyo, kana magadzira pasi saizvozvo.
Munozadza mihoronga yapo kwazvo; Munoenzanisa mipanje yapo; Munopanyorovesa nemvura inopfunha; Munoropafadza zvinomera zvapo.
Munoshongedza mwaka nekorona younaki hwenyu; Makwara enyu anodonha mafuta.
Anodonha pamafuro erenje; Zvikomo zvinozvisunga nomufaro.
Mafuro akafukidzwa namapoka ezvipfuwo; Uye mipatawo yakafukidzwa nezviyo; Zvinopururudza, zvichiimbawo.

66

Pururudzai kuna Mwari, imi nyika dzose;
Imbirai mukurumbira wezita rake; Rumbidzai kudzo yake.
Itiyi kuna Mwari, Mabasa enyu anotyisa sei! Vavengi venyu vachazviisa pasi penyu nemhaka youkuru hwesimba renyu.
Pasi pose pachanamata kwamuri, Pachakuimbirai; Vachaimbira zita renyu.
Uyai, muone mabasa aMwari; Anotyisa pane zvaanoitira vana vavanhu.
Akashandura gungwa rikava nyika yakaoma; Vakayambuka rwizi netsoka; Ipapo takafara maari.
Anobata ushe nokusingaperi nesimba rake; Meso ake anocherekedza ndudzi; Vanomumukira ngavarege kuzvikudza.
Vongai Mwari, imi vanhu, inzwi rokumurumbidza ngarinzwike;
Iye anopa mweya upenyu, Asingatenderi tsoka dzedu kuti dzitedzemuke.
Nokuti imi Mwari makatiidza; Makatiidza sezvinoidzwa sirivha.
Makatipinza pamumbure; Makatitakudza mutoro unorema pazviuno zvedu.
Makafambisa vanhu pamusoro pemisoro yedu, Takapinda nomumoto nemvura; Asi makatibudisa kunzvimbo inezvakawanda.
Ndichapinda mumba menyu nezvipiriso zvinopiswa, Ndichakuitirai mhiko dzangu,
Dzakarehwa nemiromo yangu, Dzakataurwa nomuromo wangu pakutambudzika kwangu.
Ndichakubayirai zvipiriso zvinopiswa zvezvakakora, Nezvinonhuwira zvamakondohwe; Ndichabayira nzombe pamwechete nembudzi.
Uyai munzwe, imi mose munotya Mwari, Ndichakududzirai zvaakaitira mweya wangu.
Ndakachema kwaari nomuromo wangu, Akarumbidzwa zvikuru norurimi rwangu.
Kana ndikarangarira zvakaipa mumoyo mangu, Ishe haangandinzwi;
Asi zvirokwazvo Mwari akanzwa; Akateerera inzwi rokunyengetera kwangu.
Mwari ngaavongwe, Iye asina kuramba munyengetero wangu, kana kubvisa tsitsi yake kwandiri.

67

Mwari ngaatinzwire tsitsi, atiropafadze, Ngaativhenekere nechiso chake;
Kuti nzira yenyu izikanwe pasi, Nokuponesa kwenyu pakati pendudzi dzose.
Vanhu ngavakuvongei, Mwari; Vanhu vose ngavakuvongei.
Ndudzi ngadzifare, ngadziimbe nomufaro; Nokuti muchatonga vanhu nokururama, Muchafambisa ndudzi pasi.
Vanhu ngavakuvongei Mwari; Vanhu vose ngavakuvongei.
Pasi pakabereka zvibereko zvapo; Mwari, iye Mwari wedu, achatiropafadza.
Mwari achatiropafadza; Nemigumo yose yapasi ichamutya.

68

Mwari ngaasimuke, vavengi vake ngavaparadzirwe; Vanomuvenga ngavatize pamberi pake.
Muvadzinge, sokudzingwa kwoutsi; Sokunyauka kwenamo pamoto, Saizvozvo vakaipa ngavapere pamberi paMwari.
Asi vakarurama ngavafare; ngavafare kwazvo pamberi paMwari; Ngavafare nokufara kukuru.
Imbirai Mwari, imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza; Mumugadzirire mugwagwa wakanaka, iye anofamba nengoro napamarenje; Zita rake ndiJehovha; farai kwazvo pamberi pake.
Baba venherera, nomutongi wemhosva dzechirikadzi, Ndiye Mwari paugaro hwake hutsvene.
Vakanga vari voga, Mwari anovagarisa pamhuri; Anobudisira vasungwa kumufaro; Asi vanomumukira vanogara panyika yakaoma.
Mwari, panguva yamakatungamirira vanhu venyu, Panguva yokufamba kwenyu murenje;
Pasi pakabvunda, Kudenga-denga kwakadonha pamberi paMwari; Nairo Sinai rakabvunda pamberi paMwari, iye Mwari waIsiraeri.
Imi Mwari makanisa mvura zhinji, Makasimbisa nhaka yenyu panguva yokuneta kwayo.
Ungano yenyu yakagaramo; Imi Mwari makagadzirira varombo zvakanaka zvenyu.
Ishe akataura shoko, Vakadzi vakaparidza shoko vaiva
Madzimambo ehondo anotiza, Mukadzi akasara kumusha ndiye anogovera zvakapambwa.
Kana imi movata pasi pakati pamatanga amakwai, Zvakafanana namapapiro enjiva akafukidzwa nesirivha, Neminhenga yakafukidzwa nendarama tsvuku.
Panguva iyo waMasimbaose yaakaparadza madzimambomo, Zvakafanana nokuwa kwechando paZarimoni.
Gomo reBhashani igomo raMwari; Gomo reBhashani igomo refu-refu.
Imi makomo marefu, munogodorerei Iro gomo rakadikanwa naMwari kuti agare mariri? Jehovha achagara mariri nokusingaperi.
Ngoro dzaMwari dzinosvika zviuru zvina makumi maviri, zviuru zvezviuru zvamazana; Ishe ari pakati padzo, sezvaakaita paSinai, panzvimbo tsvene.
Makakwira kumusoro, mukatapa vatapwa venyu; Makagamuchira zvipo pakati pavanhu Zvirokwazvo pakati pavakakumukiraiwo, kuti Jehovha Mwari agare navo.
Ishe ngaavongwe, iye anotakura mitoro yedu zuva rimwe nerimwe, Iye Mwari muponesi wedu.
Mwari ndiye Mwari anotirwira; Jehovha Ishe ndiye ane nzira dzokubuda murufu.
Asi Mwari achatema misoro yavavengi vake, Paganda romusoro rine vhudzi romunhu anorambira pakutadza kwake.
Ishe akati, Ndichavadzosa paBhashani, Ndichavadzosazve pagungwa rakadzika;
Kuti unyike rutsoka rwako muropa, Kuti ndimi dzembwa dzako dzive nomugove wadzo pavavengi vako.
Vakaona mafambiro enyu, Mwari, Mafambiro aMwari wangu, Mambo wangu, achipinda panzvimbo tsvene.
Vaimbi vakatungamira, varidzi vemitengeranwa vakatevera, Pakati pavasikana vakanga vachiridza makandira.
Rumbidzai Mwari paungano, Iye Ishe, iyemi vetsime raIsiraeri.
Bhenjamini muduku, mubati wavo, aripo, Namachinda aJudha navazhinji vavo, Namachinda aZebhuruni, namachinda aNafutari.
Mwari wako akaraira simba rake; Simbisai, Mwari, izvo zvamakatiitira.
Nokuda kwetemberi yenyu paJerusaremu Madzimambo achakuvigirai zvipo.
Tukai chikara chetsanga, Hando zhinji, nemhuru dzendudzi dzavanhu, Vazviwisire pasi petsoka nemari yesirivha; Muparadzire vanhu vanofarira kurwa.
Machinda achabuda Ijipiti; Itiopia ichakurumidza kutambanudza maoko ayo kuna Mwari.
Imbirai Mwari, imi ushe hwapasi; Imbirai Ishe nziyo dzokurumbidza.
Iye anotasva padenga rokudenga-denga, iro rakare nakare; Inzwai, anobudisa inzwi rake, inzwi rine simba.
Ipai Mwari simba; Ukuru hwake huri pamusoro paIsiraeri, Simba rake riri mumakore.
Imi Mwari munotyisa panzvimbo dzenyu tsvene; Mwari waIsiraeri ndiye anopa vanhu vake simba noushe. Mwari ngaavongwe.

69

Ndiponesei, Mwari, Nokuti mvura zhinji yasvikira pamweya wangu.
Ndinonyura munhope yakadzika, pokumira Ndakasvika pamvura zhinji yakadzika, pandinofukidzwa nenzizi.
Ndaneta nokuchema kwangu; huro dzangu dzaoma; Meso angu anovava nokurindira Mwari wangu.
Vanondivenga ndisina mhosva vazhinji kupfuura vhudzi romusoro wangu; Avo vanoda kundiparadza vane simba, kunyange vachindivenga ndisina mhosva; Ndakafanira kudzosera zvandinenge ndisina kutora.
Mwari munoziva upenzi hwangu; Mhosva dzangu hadzina kukuvanzirwai.
Ishe Mwari wehondo, vanokurindirai ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu; Mwari waIsiraeri, vanokutsvakai ngavarege kuzvidzwa nokuda kwangu.
Nokuti ndakatenda kushorwa nokuda kwenyu; Kunyadza kwakafukidza chiso changu.
Ndakava mutorwa kuhama dzangu, Nomubvakure kuvana vamai vangu.
Nokuti kushingairira imba yenyu kwakandipedza; Nokushora, kwavanokushorai kwakawira pamusoro pangu.
Panguva yokuchema kwangu nokutambudza mweya wangu ndichizvinyima, Ndakashorwa nokuda kwazvo.
Panguva yandakafuka masaga ndikaaita nguvo dzangu, Ndakava shumo pakati pavo.
Vanogara pasuo vanondireva; Ndiri chiimbo chavakabatwa nedoro.
Asi kana ndirini, munyengetero wangu uri kwamuri, Ishe, panguva yakafanira; Mwari, netsitsi dzenyu zhinji Ndipindurei nokuponesa kwenyu kwakatendeka.
Ndirwirei munhope, ndirege kunyura; Ndirwirwe kuna vanondivenga, napamvura zhinji yakadzika.
Boporodzi remvura rirege kundikunda, Mvura yakadzika irege kundimedza; Gomba rirege kuzarira muromo waro pamusoro pangu.
Ndipindurei, Jehovha; nokuti unyoro hwenyu hwakanaka; Ringirai kwandiri nokuda kwetsitsi dzenyu zhinji.
Regai kuvanzira muranda wenyu chiso chenyu; Nokuti ndiri pakutambudzika; kurumidzai kundipindura.
Swederai kumweya wangu, muudzikunure; Ndidzikunurei nokuda kwavavengi vangu.
Munoziva kushorwa kwangu, nokunyadzwa kwangu nokuzvidzwa kwangu Vadzivisi vangu vose vari mberi kwangu.
Kushora kwakaputsa moyo wangu; ndaremerwa kwazvo; Ndakatsvaka vangandinzwira nyasha, asi kwakanga kusino munhu; Ndakatsvaka vavaraidzi, asi handina kuwana nomumwe.
Vakandipa nduru zvive zvokudya zvangu; Pakunzwa nyota kwangu vakandinwisa vhiniga.
Tafura yavo ngaive musungo pamberi pavo; Neriva, kana vakagarika havo.
Meso avo ngaapofumadzwe, varege kuona, Zviuno zvavo ngazvirambe zvichiguda-guda.
Dururai kutsamwa kwenyu pamusoro pavo, Hasha dzenyu dzinopfuta, ngadzivabate.
Ugaro hwavo ngahuparadzwe; Ngakurege kuva nomunhu anogara pamatende avo.
Nokuti vanotambudza uyo wamakarova; Vanotaura zvokurwadziwa kwavaya vamakakuvadza.
Wedzerai zvakaipa pazvakaipa zvavo; Ngavarege kupinda pakururama kwenyu.
Ngavadzimwe parugwaro rwoupenyu, Varege kunyorwa pamwechete navakarurama.
Asi ini ndiri murombo, ndinorwadziwa; Kuponesa kwenyu, Mwari, ngakundiise pakakwirira.
Ndicharumbidza zita raMwari norwiyo, Ndichamukudza nokuvonga.
Izvo zvichafadza Jehovha kupfuura nzombe, Kana hando ine nyanga namahwanda.
Vanyoro vakazviona vakafara; Imi munotsvaka Mwari, moyo yenyu ngairarame.
Nokuti Jehovha anonzwa vashaiwi, Haashori vasungwa vake.
Kudenga napasi ngazvimurumbidze, Makungwa, nezvose zvinopfakanyikamo.
Nokuti Mwari achaponesa Ziyoni, nokuvaka maguta aJudha, Vachagaramo, ive nhaka yavo.
Ichava nhaka yavana vavaranda vake; Vanoda zita rake vachagaramo.

70

Kurumidzai, Mwari, kundirwira; Kurumidzai kundibatsira, Jehovha.
Ngavanyadziswe, ngavazvidzwe Ivo vanotsvaka mweya wangu; Ngavadzoserwe shure, vashovorwe Ivo vanofarira kundikuvadza.
Ngavadzoserwe shure nokuda kwenyadzi dzavo Ivo vanoti, Hekani, hekani! Waro!
Vose vanokutsvakai ngavafarise vave nomufaro mamuri; Vanoda kuponesa kwenyu ngavarambe vachiti, Mwari ngaakudzwe!
Asi ini ndiri murombo nomushaiwi; Kurumidzai muuye kwandiri, Mwari; Imi muri mubatsiri wangu nomurwiri wangu; Regai kunonoka, Jehovha.

71

Jehovha, ndinovimba nemi; Ngandirege kutongonyadziswa.
Ndirwirei mukururama kwenyu, ndisunungurei; Rerekerai nzeve yenyu kwandiri, mundiponese.
Ivai dombo rangu mandingagara, kwandingaramba ndichienda; Makaraira kuti ndiponeswe; Nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu.
Ndisunungurei, Mwari wangu, paruoko rwowakaipa, Paruoko rwousina kururama nomunhu anomanikidza.
Nokuti imi, Ishe Jehovha, muri tariro yangu; Ndimi wandinovimba naye kubva pauduku hwangu.
Ndakatsigirwa nemi kubva pachizvaro; Ndimi makandibudisa padumbu ramai vangu; Ndichakurumbidzai.
Ndiri chishamiso kuna vazhinji; Asi imi muri utiziro hwangu hwakasimba.
Muromo wangu uchazadzwa nerumbidzo yenyu, Nekudzo yenyu zuva rose.
Regai kundirasha panguva yokukwegura kwangu; Musandisiya kana ndapera simba.
Nokuti vavengi vangu vanondireva; Vanogarira mweya wangu, vanorangana,
Vachiti, Mwari amusiya; Teverai, mumubate; nokuti hakuna ungamurwira.
Mwari, regai kuva kure neni; Mwari wangu, kurumidzai kundibatsira.
Avo vanodzivisa mweya wangu ngavanyadziswe vapere; Vanotsvaka kundikuvadza ngavafukidzwe nokushorwa nokuzvidzwa.
Asi ini ndicharamba ndichitarira, Ndicharamba ndichiwedzera kukurumbidzai.
Muromo wangu uchareva kururama kwenyu, Nokuponesa kwenyu zuva rose:, Nokuti handizivi kuwanda kwazvo.
Ndichauya namabasa ane simba raShe aJehovha; Ndichaparidza kururama kwenyu, iko kwenyu kwoga.
Mwari, makandidzidzisa kubva paujaya hwangu; Kusvikira zvino ndadudzira mabasa enyu anoshamisa.
Haiwa, kusvikira ndakwegura ndachena vhudzi, Mwari regai kundisiya; Kusvikira ndadudzira simba renyu kurudzi runouya, Nesimba renyu kunomumwe nomumwe anozouya.
Kururama kwenyuwo, Mwari, kuri kumusoro-soro; Iyemi makaita zvinhu zvikuru, Mwari, ndianiko akafanana nemi?
Iyemi makatiratidza madambudzo mazhinji akaipa, Ndimi muchatiraramisazve, Nokutikwidzazve tibve pakudzika kwapasi.
Wedzerai hukuru hwangu, Dzokaizve mundinyaradze.
Ndichakurumbidzaiwo nemitengeranwa, Naiyo zvokwadi yenyu, Mwari wangu; Ndichakuimbirai imi nziyo dzokurumbidza nembira, Iyemi Mutsvene walsiraeri.
Miromo yangu ichafara kwazvo kana ndichikuimbirai nziyo dzokurumbidza; Nomweya wangu wamakadzikunura.
Rurimi rwanguvo ruchataura zuva rose zvokururama kwenyu; Nokuti vanotsvaka kundikuvadza vanyadziswa, vazvidzwa.

72

Ipai mambo zvamakatonga, Mwari, Nokururama kwenyu kumwanakomana wamambo.
Achatongera vanhu venyu nokururama, Navarombo venyu achavaruramisira.
Makomo nezvikomo achavigira vanhu rugare,nezvikomo nekururama.
Achatongera varombo vavanhu, Achaponesa vana vavashaiwi, Nokupwanya mumanikidzi.
Vachakutyai kana zuva richipo, Uye kana mwedzi uchipo, kusvikira kumarudzi namarudzi.
Achaburuka iye semvura pauswa hwakagurirwa; Semvura inonaya ichidiridza pasi.
Nemisi yake akarurama achakura zvakanaka; Rugare rwakawanda ruchavapo, kusvikira mwedzi waguma.
Achabata ushe kubva pagungwa kusvikira pagungwa, Nokubva paRwizi kusvikira kumigumo yapasi.
Vagere pamarenje vachapfugama pamberi pake; Vavengi vake vachananzva guruva.
Madzimambo eTarishishi neezviwi achauya nezvipo; Madzimambo eShebha neSebha vachamuvigira zvipo;
Zvirokwazvo, madzimambo ose achawira pasi pamberi pake; Ndudzi dzose dzichamushumira.
Nokuti acharwira mushaiwi kana achidanidzira; Nomurombo asina mubatsiri.
Achanzwira nyasha murombo nomushaiwi, Achaponesa mweya yavashaiwi.
Achadzikunura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa; Ropa ravo richava chinhu chinokosha pamberi pake;
Iye achararama, achapiwa ndarama yeShebha; Vanhu vacharamba vachimunyengeterera; Vachamuvonga zuva rose.
Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo; Zvibereko zvazvo zvichavhunga seRebhanoni; Vanogara paguta vachakura souswa pasi.
Zita rake richavapo nokusingaperi; Zita rake richagara riripo panguva yose yokuvapo kwezuva; Vanhu vacharopafadzwa maari; Ndudzi dzose dzichati, Anomufaro.
Jehovha Mwari, iye Mwari waIsiraeri, ngaarumbidzwe, Iye oga anoita zvinoshamisa.
Zita rake rinobwinya ngarirumbidzwe nokusingaperi; Pasi pose ngapazadzwe nokubwinya kwenyu. Ameni, Ameni.
Minyengetero yaDhavhidhi mwanakomana waJese yapera.

73

Zvirokwazvo Mwari anoitira Isiraeri zvakanaka, Ivo vane moyo yakachena.
Asi kana ndirini, tsoka dzangu dzakanga dzotsauka; Makumbo angu akanga otedzemuka.
Nokuti ndakanga ndichigodora vana manyawi, Pakuona kwangu kufara kwavakaipa.
Nokuti havatambudziki pakufa kwavo; Asi muviri wavo une simba.
Havana njodzi savamwe vanhu; Havatambudzwi savamwe vanhu
Saka kuzvikudza kwavo kwakafanana noruketani pamitsipa yavo; Kumanikidza kunovafukidza senguvo.
Meso avo anobuda nokukora; Zvavanofunga pamoyo zvinofashamira;
Vanoseka, vachireva pakuipa kwavo zvinomanikidza vamwe; Vanotaura vachizvikudza.
Vakataurira kudenga nemiromo yavo, Ndimi dzavo dzinofamba-famba pasi.
Saka vanhu vake vanodzokera ikoko; Vanosvinirwa mvura zhinji, mukombe uzere.
Zvino vanoti, Mwari angaziva seiko? Wokumusorosoro angava nokuziva here?
Tarirai, ndizvo zvakaita vakaipa; Vanowedzera fuma yavo vachingogara vasingatamburi.
Zvirokwazvo ndakanatsa moyo wangu pasina, Nokushambidza maoko angu ndisina mhosva;
Nokuti ndakatambudzwa zuva rose, Ndakarangwa mangwanani ose.
Kana ndaiti, ndichataura kudai; Tarirai, ndainyengera rudzi rwavana venyu.
Zvino ndakaramba ndichifunga kuti ndizvinzwisise, Asi zvakandiremera kwazvo;
Kusvikira ndapinda panzvimbo tsvene yaMwari, Ndikatarira kuguma kwavo.
Zvirokwazvo munovaisa panotedza; Munovawisira pasi kuti vaparadzwe.
Haiwa, vanoparadzwa kamwe-kamwe! Vanopedzwa chose nezvinotyisa.
Sezvakarotwa, kana munhu apepuka; Saizvozvo, Ishe, muchashora mufananidzo wavo, kana muchimuka.
Nokuti moyo wangu wakachema, Ndakabayiwa patsvo dzangu.
Ndakanga ndiri benzi, ndisingazivi chinhu; Ndakanga ndakafanana nemhuka pamberi penyu.
Kunyange zvakadaro ndinoramba ndinemi; Makabata ruoko rwangu rworudyi.
Muchandiperekedza nezano renyu, Ndokuzondigamuchira pakubwinya.
Ndianiko kudenga, kana musimi? Napasi hapana wandinoda kunze kwenyu.
Nyama yangu nomoyo wangu zvinopera; Asi Mwari ndiye dombo romoyo wangu nomugove wangu nokusingaperi.
Nokuti tarirai, vari kure nemi vachapera; Makaparadza vose vakakusiyai noupombwe hwavo.
Kana ndirini, kuswedera pedo naye ndizvo zvinondifadza; Ishe Mwari ndakamuita nhare yangu, Kuti ndiparidze mabasa enyu ose.

74

Haiwa Mwari, makatirashireiko nokusingaperi? Hasha dzenyu dzinopfungairira makwai amafuro enyu nemhaka yeiko?
Rangarirai ungano yenyu yamakatenga kare, Yamakadzikunura kuti ruve rudzi rwenhaka yenyu; Gomo reZiyoni pamakanga mugere.
Simudzai makumbo enyu muone zvakaparadzwa zvisingaperi, Izvo zvakaipa zvose zvakaitwa navavengi panzvimbo tsvene.
Vadzivisi venyu vakanduruma pakati peungano yenyu; Vakamisa mireza yavo zvive zviratidzo.
Vakafanana navanhu vakasimudza Masanhu mudondo remiti.
Zvino zvose zvakavezwa zvayo Vanozviputsa nedimuro nenyundo.
Vakapisa nzvimbo yenyu tsvene nomoto; Vakashatisa ugaro hwezita renyu vachihuputsira pasi.
Vakati mumoyo mavo, Ngativaparadze pamwechete; Vakapisa nzvimbo dzose pavanounganira Mwari munyika.
Hatichaoni zviratidzo zvedu; Hapachina muporofita; Pakati pedu hapana munhu anoziva kuti zvichasvikira rinhi.
Haiwa Mwari, mudzivisi, achashora kusvikira rinhiko? Muvengi acharamba achizvidza zita renyu nokusingaperi here?
Munodzosereiko ruoko rwenyu, irwo ruoko rwenyu rworudyi? Rutambanudzei pachipfuva chenyu, muvapedze.
Kunyange zvakadaro Mwari ndiye Mambo wangu kubva kare, Iye anobata mabasa okuponesa pakati penyika,
Makapamura gungwa nesimba renyu; Makaputsa misoro yezvikara zvegungwa mumvura.
Makaputsanya misoro yengwena, Makaipa vanhu vagere murenje kuti ive nyama yavo.
Makapamura tsime neboporodzi; Makapwisa nzizi huru.
Masikati ndeenyu, nousiku ndohwenyuwo; Ndimi makagadzira chiedza nezuva.
Ndimi makatara miganho yose yapasi; Ndimi makaita zhizha nechando.
Rangarirai chinhu ichi, kuti muvengi akakuzvidzai, Jehovha, Uye kuti rudzi rwamapenzi rwakamhura zita renyu.
Regai henyu kuisa kuchikara mweya wenjiva yenyu; Musakanganwa upenyu hwavarombo venyu.
Rangarirai sungano; Nokuti nzvimbo dzine rima dzapasi dzizere nougaro hwavamanikidzi.
Haiwa, vanomanikidzwa ngavarege kudzoka vachinyara; Varombo navashaiwi ngavarumbidze zita renyu.
Simukai Mwari, muzvireverere mhaka yenyu, Rangarirai kuzvidzwa kwenyu nebenzi zuva rose.
Regai kukanganwa inzwi ravadzivisi venyu; Bope ravanokumukira rinogara richikwira.

75

Tinokuvongai, Mwari; Tinovonga, nokuti zita renyu riri pedo; Vanhu vanoparidza mabasa enyu anoshamisa.
Kana ndichiwana nguva yakafanira, Ndichatonga zvakarurama.
Pasi pose panyauka navose vagerepo; Ndini ndakamisa mbiru dzayo.
Ndakati.kuna vanamanyawi , Regai kuita namanyawi; Nokuna vakaipa, Regai kusimudza runyanga.
Regai kusimudza runyanga rwenyu kudenga; Regai kutaura nomutsipa mukukutu.
Nokuti kunyange kumabudazuva, kana kumavirira, Kana kurenje, hakuzi ikoko kunobva kukudzwa.
Asi Mwari ndiye mutongi; Anoninipisa mumwe achikudza mumwe.
Nokuti muruoko rwaJehovha munomukombe, newaini inopupuma; Uzere nezvakavhenganiswa, zvino anodurura mauri; Zvirokwazvo, vakaipa vose venyika vachasvina masese awo, nokuanwa.
Asi ini ndichaparidza nokusingaperi, Ndichaimbira Mwari waJakobho nziyo dzokurumbidza.
Nyanga dzose dzavakaipa ndichadzigura; Asi nyanga dzavakarurama dzichasimudzwa.

76

Mwari anozikanwa pakati paJudha; Zita rake iguru pakati palsiraeri.
PaSaremiwo ndipo pane tabhenakeri yake, NapaZiyoni ugaro hwake.
Ndipo paakavhuna miseve youta; Nenhovo, nomunondo, nokurwa.
Imi munokubwinya, makanaka kwazvo, Kupfuura makomo ezvakapambwa.
Vakatsunga pamoyo, vakapambwa, vakavata hope dzavo; Pakati pavarume vane simba hakuna akawana maoko ake.
Pakutuka kwenyu, Mwari waJakobho, Ngoro nebhiza zvose zvinobatwa nehope dzorufu.
Imi, iyemi, munofanira kutyiwa; Ndianiko angamira pamberi penyu kana matsamwa?
Makanzwisa vanhu kutonga kwenyu kuchibva kudenga; Pasi pakatya, pakanyarara,
Panguva yokumuka kwaMwari kuzotonga, Kuti aponese vanyoro vose vapasi.
Zvirokwazvo, kutsamwa kwavanhu kuchakurumbidzai; Munozvisunga chiuno nokutsamwa kwakasara.
Pikai, muripire Jehovha Mwari wenyu; Vose vakamupoteredza ngavauye nezvipo kuna iye anofanira kutyiwa;
Iye achagura mweya yamachinda; Anotyisa kwazvo madzimambo apasi.

77

Ndichadana kuna Mwari nenzwi rangu; kuna iye Mwari nenzwi rangu, acharerekera nzeve yake kwandiri.
Pazuva rokutambudzika kwangu ndakatsvaka Ishe; Ruoko rwangu rwakanga rwakatambanudzwa usiku, ndisingaregi; Mweya wangu wakaramba kunyaradzwa.
Ndinorangarira Mwari, ndokushaiwa mufaro; Ndinofungisisa, mweya wangu ndokuziya.
Hamutenderi meso angu kutsinzina; Ndinotambudzika, handigoni kutaura.
Ndakarangarira mazuva ekare, Makore enguva dzakare-kare.
Ndinozviyeudzira kuimba kwangu pakati pousiku; Ndinotaurirana nomoyo wangu; Mweya wangu wakanzvera kwazvo.
Ko Ishe angarasha nokusingaperi? Haachazonzwiri ngoni here?
Ko tsitsi dzake dzaenda chose nokusingaperi? Chipikirwa chake chakakona nokusingaperi here?
Ko Mwari akanganwa kuva nenyasha? Apfigira tsitsi dzake nyoro pakutsamwa kwake here?
Ipapo ndakati, Ndihwo utera hwangu, Asi ndicharangarira makore oruoko rworudyi rwoWokumusorosoro.
Ndichareva zvakaitwa naJehovha; Nokuti ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare.
Ndichafungisawo basa renyu rose, Nokurangarira zvamakaita.
Nzira yenyu, Mwari, iri panzvimbo tsvene; Ndianiko mwari mukuru, akafanana naiye Mwari?
Ndimi Mwari anoita zvishamiso; Makaratidza simba renyu pakati pavanhu.
Makadzikunura vanhu venyu noruoko rwenyu, Ivo vanakomana vaJakobho naJosefa.
Mvura zhinji yakakuonai, Mwari; Mvura zhinji yakakuonai, ikatya; Pakadzika pakabvunda.
Makore akadurura mvura; Denga rose rakabudisa inzwi; Miseve yenyu yakafambafamba kwose.
inzwi rokutinhira kwenyu rakanga riri muchamupupuri; Mheni dzakavhenekera nyika; Pasi pakabvunda nokuzununguka.
Kufamba kwenyu kwakanga kuri mugungwa, Nenzira dzenyu mumvura zhinji-zhinji, Makwara enyu akanga asingazikanwi.
Makafambisa vanhu venyu seboka ramakwai, Noruoko rwaMozisi norwaAroni.

78

Teererai murayiro wangu, imi vanhu vangu; Rerekerai nzeve dzenyu munzwe mashoko omuromo wangu.
Ndichashamisa muromo wangu nditaure nomufananidzo; Ndichaparidza mashoko akavanzika ekare,
Zvatakanzwa nezvatakaziva, Nezvatakaudzwa namadzibaba edu.
Hatingazvivanziri vana vavo, Asi tichaudza rudzi runotevera mabasa angarumbidzwa aJehovha , Nesimba rake, namabasa ake, anoshamisa, aakaita.
Nokuti akamutsa chipupuriro pakati. paJakobho, Akatema murayiro pakati paIsiraeri, Akazviraira madzibaba edu, Kuti vazvizivise vana vavo;
Kuti rudzi runotevera ruzvizive, ivo vana vachazoberekwa; Ivo vasimuke vazviudze vana vavo;
Kuti tariro yavo ive kuna Mwari, Varege kukanganwa mabasa aMwari, Asi vachengete mirairo yake;
Varege kufanana namadzibaba avo, Rwakanga ruri rudzi rusingateereri, rwakamukira Mwari. Rudzi rwakaramba kururamisa moyo yavo, Uye mweya yavo yakanga isina kutendeka kuna Mwari.
Vana vaEfuraimu, kunyange vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa nouta, Vakadzokera shure pazuva rokurwa.
Havana kuchengeta sungano yaMwari, Vakaramba kufamba nomurayiro wake;
Vakakanganwa zvaakaita, Namabasa ake akashamisa, aakavaratidza.
Wakaita zvinhu zvinoshamisa pamberi pamadzibaba avo, Panyika yeIjipiti, pasango reZoani.
Wakapamura gungwa, akavayambusa; Akamisa mvura ikafanana nomurwi.
Masikatiwo wakavafambisa negore, Nousiku hwose nechiedza chomoto.
Wakapamura matombo murenje, Akavanwisa zvakanaka kwazvo sapamvura inobva pakadzika.
Akabudisawo hova dzemvura padombo, Akayererisa mvura zhinji yakaita senzizi.
Kunyange zvakadaro vakaramba vachimutadzira, Nokumukira Wokumusorosoro murenje.
Vakaidza Mwari mumoyo mavo Vachikumbira zvokudya zvavakanga vachidawo.
vakapopotera Mozisi Vakati, Mwari angatigadzirira chokudya murenje here?
Tarirai, akarova dombo, mvura zhinji ikadzutuka, Hova dzakayerera; Ko angapa chingwawo here? Ungavigira vanhu vake nyama here?
Saka Jehovha akanzwa, akatsamwa; Moto ukaveserwa Jakobho, Kutsamwa kukamukira Isiraeri;
Nokuti havana kutenda Mwari, Havana kuvimba nokuponeswa kwake.
Kunyange zvakadaro wakaraira denga rose kumusoro, Akazarura mikova yokudenga;
Akanisa mana pamusoro pavo kuti vadye, Akavapa zviyo zvokudenga.
Vanhu vakadya chingwa chavatumwa; Akavatumira zvokudya kusvikira vaguta.
Akabudisa mhepo yakabva mabvazuva, ikarira kudenga; Akafambisa mhepo yakabva nyasi nesimba rake.
Akanisawo nyama pamusoro pavo ikaita seguruva, Neshiri, dzina mapapiro, dzikaita sejecha regungwa;
Akazviwisira pakati pemisasa yavo, Pose-pose pavakanga vagere.
Ipapo vakadya, vakaguta kwazvo; Akavapa zvavakanga vachikarira.
Vakanga vasati vanyaradza kukara kwavo, Zvokudya zvavo zvakanga zvichiri mumiromo yavo,
Kutsamwa kwaMwari kukavamukira, Akauraya vakakoresa pakati pavo, Akaparadza majaya aIsiraeri.
Kunyange zvakadaro vakaramba vachitadza, Vakasatenda mabasa ake aishamisa.
Saka akapedza mazuva avo panezvisina maturo, Namakore avo panezvinotyisa.
Zvino akati achivauraya, ipapo vakamubvunza , vakashingaira kutsvaka Mwari.
Vakarangarira kuti Mwari ndiye dombo ravo, NaMwari Wokumusorosoro mudzikunuri wavo.
Asi vakamubata kumeso nemiromo yavo, Vakamurevera nhema nendimi dzavo.
Nokuti moyo yavo yakanga isina kururama kwaari, Uye vakanga vasina kutendeka pasungano yake.
Asi iye, zvaakanga ane nyasha huru, akavakanganwira kuipa kwavo, akasavaparadza; Zvirokwazvo, kazhinji akadzora kutsamwa kwake, Akasamutsa hasha dzake dzose.
Akarangarira kuti vakanga vari nyama bedzi; Nemhepo, inopfuura, isingadzokizve.
Vakamumukira murenje kazhinji sei, Nokumunzwisa shungu mugwenga!
Vakapamhidzazve, vakaidza Mwari, Vakadzivisa Mutsvene waIsiraeri.
Havana kurangarira ruoko rwake, Kana zuva raakavadzikunura pamudzivisi.
Panguva yaakavaratidza zviratidzo zvake Nezvishamiso zvake pasango reZoani;
Akashandura nzizi dzavo dzikava ropa, Nehova dzavo, vakakoniwa kunwa mvura yadzo.
Akatuma pakati pavo mapupira enhunzi, dzakavaruma; Namatafi, akavaparadza.
Zvibereko zvavo wakazvipa mhunduru, Zvavakabatira akazvipa mhashu.
Akaparadza mizambiringa yavo nechimvuramabwe, Nemionde yavo nechando.
Mombe dzavo akadziisawo pachimvuramabwe, Zvipfuwo zvavo akazviisa pamheni.
Akatuma pakati pavo kutsamwa kwake kukuru, Nehasha neshungu nokutambudza, Rikaita boka ravatumwa vezvakaipa.
Akagadzirira kutsamwa kwake nzira; Haana kubvisa mweya wavo parufu, Asi akaisa upenyu hwavo kuhosha;
Akarova matangwe ose paIjipiti, Ivo vokutanga vesimba ravo pamatende aHami;
Asi akabudisa vanhu vake samakwai, Akavaperekedza murenje seboka rezvipfuwo.
Akavafambisa vakafara, vakasatya; Asi gungwa rakafukidza vavengi vavo.
Akavasvitsa panyika yake tsvene, Pagomo iri, raakatenga noruoko rwake rworudyi.
Akadzingawo ndudzi pamberi pavo, Akavaganhurira ivo vave nhaka yavo, Akagarisa vaIsiraeri pamatende avo.
Kunyange zvakadaro vakaidza Mwari Wokumusorosoro, vakamumukira, Vakasachengeta zvipupuriro zvake;
Asi vadzoka, vakaita zvinonyengera. Vakatsauka souta hunonyengera.
Nokuti vakamutsa kutsamwa kwake namatunhu avo akakwirira, Vakamutsa godo rake nezvifananidzo zvavo zvakaveziwa.
Zvino Mwari akati achizvinzwa, akatsamwa kwazvo, Akasema Isiraeri kwazvo-kwazvo.
Akabva patabhenakeri yeShiro, Tende raakanga akaisa pakati pavanhu;
Akaisa simba rake mukutapwa, Nokubwinya kwake muruoko rwomudzivisi.
Vanhu vake wakavaisawo kumunondo; Akatsamwira nhaka yake kwazvo.
Moto wakapedza majaya avo; Vasikana vavo havana kuimbirwa pakuwanikwa kwavo.
Vapirisiti vavo vakaurawa nomunondo; Chirikadzi dzavo hadzina kuchema.
Ipapo Ishe akapepuka somunhu akanga avete, Semhare inoridza mhere nokuda kwewaini.
Akarova vadzivisi vake, vakadzokera sure. Akavanyadzisa zvisingaperi.
Akarambawo tende raJosefa, Akasanangura rudzi rwaEfuremu.
Asi akasanangura rudzi rwaJudha, Negomo reZiyoni raakanga achida.
Akavaka nzvimbo yake tsvene senhare dzakakwirira, Sapasi paakateya nokusingaperi.
Akasanangurawo Dhavhidhi muranda wake, Akamubvisa pamatanga amakwai;
Akandomutora paaifudza matunzvi aimwisa, Kuti ave mufudzi wavanhu vake Jakobho, naIsiraeri nhaka yake.
Naizvozvo akavafudza nokururama kwomoyo wake; Akavaperekedza nouchenjeri hwamaoko ake.

79

Haiwa Mwari, vahedheni vakapinda panhaka yenyu; Vakasvibisa temberi yenyu tsvene; Jerusaremu vakariita dongo.
Zvitunha zvavaranda venyu vakazvipa shiri dzokudenga zvive zvokudya zvadzo. Uye nyama yavatsvene venyu vakaipa zvikara zvapasi.
Vakateura ropa ravo pose-pose paJerusaremu semvura; Vakashaiwa anovaviga.
Tava chinhu chinoshorwa navatigere navo, Chinhu chinozvidzwa nechinosekwa navakatipoteredza.
Haiwa Jehovha, mucharamba makatsamwa nokusingaperi kusvikira rinhiko? Godo renyu richapfuta somoto here?
Dururai hasha dzenyu pamusoro pavahedheni vasingakuziviyi, Napamusoro poushe huzhinji, husingadi zita renyu.
Nokuti vakapedza Jakobho, Vakaparadza ugaro hwake.
Musarangarira kutirova pamusoro pezvakaipa zvamadzibaba edu; Ngoni dzenyu nyoro ngadzikurumidze kusangana nesu; nokuti taneta kwazvo.
Tibatsirei, Mwari muponesi wedu, nokuda kwomukurumbira wezita renyu;
Vahedheni vacharevereiko, vachiti, Mwari wavo aripiko? Kutsihwa kweropa ravaranda venyu, rakateurwa, Ngakuzikanwe pakati pavahedheni pamberi pedu.
Kugomera kwomusungwa ngakusvike kwamuri; Noukuru hwesimba renyu chengetai vana vorufu;
Mutsivire vagere nesu kanomwe pachipfuva chavo. Kushora kwavakakushorai nako, imi Ishe.
Naizvozvo isu vanhu venyu, namakwai amafuro enyu, Tichakuvongai nokusingaperi; Ticharatidza kurumbidzwa kwenyu kumarudzi namarudzi.

80

teererai nenzeve, Mufudzi waIsiraeri, Iyemi munotungamirira Josefa seboka rezvipfuwo; Imi mugere pakati pamakerubhi, penyai!
Mutsai simba renyu pamberi paEfuremu naBhenjamini naManase, Muuye kuzotirwira.
Tidzosereizve, Mwari; Penyesai chiso chenyu, isu tiponeswe.
Jehovha, Mwari wehondo, Muchatsamwira munyengetero wavanhu venyu kusvikira rinhiko?
Makavadyisa zvokudya zvemisodzi, Nokuvanwisa misodzi yakawanda kwazvo.
Makatiita chinhu chinoitirwa nharo navatigere navo; Vavengi vedu vanotiseka pakati pavo.
Tidzosereizve, Mwari wehondo; Penyesai chiso chenyu, isu
Makandotora muzambiringa paIjipiti; Makadzinga vahedheni, mukausima.
Makaugadzirira, Ukabata kwazvo, ukazadza nyika.
Makomo akafukidzwa nomumvuri wawo, Nemisidhari yaMwari namatavi awo.
Wakatandisa matavi awo kusvikira pagungwa, Namashizha awo kusvikira kuRwizi.
Makaputsireiko mhanda dzawo, Kuti vose vanopfuura nenzira vautanhe?
Nguruve yomudondo inouparadza, Mhuka dzesango dzinoudya.
Dodzokai henyu, Mwari wehondo, Tarirai muri kudenga, muone, muve nehanya nomuzambiringa uyu.
Muchengete chakasimwa noruoko rwenyu rworudyi, Nomwanakomana, wamakazvirerera.
Wapiswa nomoto, watemwa; Vanopera nokutuka kwechiso chenyu.
Ruoko rwenyu ngaruve pamusoro pomunhu woruoko rwenyu rworudyi, Pamusoro poMwanakomana womunhu, wamakazvirerera.
Ipapo hatingazobvi kwamuri; Tiraramisei isu, tigodana zita renyu.
Tidzosereizve, Jehovha Mwari wehondo; Penyesai chiso chenyu, isu tiponeswe.

81

Imbirai Mwari kwazvo, iye simba redu; Pururudzai kuna Mwari waJakobho.
Vambai rwiyo, muridze ngoma, Nembira dzinonakidza nomutengeranwa.
Ridzai hwamanda pakugara kwomwedzi, Napakuchena kwomwedzi, pamutambo wedu wakatarwa.
Nokuti ndizvo zvakatemerwa Zvakarairwa naMwari waJakobho.
Wakazvitema muna Josefa kuti chive chipupuriro, Panguva yaakandorwa nenyika yeIj ipiti; Pandakanzwa rurimi rwandakanga ndisingazivi.
Ndakabvisa mutoro pafudzi rake; Maoko ake akaregedza dengu.
Iwe wakadana pakutambudzika, ndikakurwira; Ndakakupindura ndiri panovanda kutinhira; Ndakakuidza pamvura zhinji yeMeribha.
Inzwai vanhu vangu, ndikupupurirei; Haiwa Isiraeri, dai waida hako kunditeerera!
Ngakurege kuvapo pakati penyu mwari wokumwe; Musanamata kunomumwe mwari wavatorwa.
Ndini Jehovha Mwari wako, Akakubudisa panyika yeIjipiti; Shamisa muromo wako kwazvo, ndigouzadza.
Asi vanhu vangu havana kuteerera inzwi rangu; Isiraeri wakandiramba chose.
Saka ndakavaregera paukukutu hwemoyo yavo, Kuti vafambe namano avo.
Haiwa, dai vanhu vangu vainditeerera havo, Dai Isiraeri aifamba nenzira dzangu!
Ndingadai ndakakurumidza kukunda vavengi vavo, Nokurova vadzivisi vavo noruoko rwangu.
Vanovenga Jehovha vaizviisa pasi pake; Asi nguva yavo yaivapo nokusingaperi.
Angadai aivadyisawo zviyo zvakaisvonaka; Ndaikugutsa nohuchi hunobva padombo.

82

Mwari anomira paungano yaMwari; Anotonga pakati pavamwari.
Muchatonga zvisina kururama kusvikira rinhiko, Muchisanangura vanhu vakaipa?
Tongerai mhaka dzavarombo nenherera; Ruramisirai vanotambudzika navanoshaiwa chose.
Sunungurai varombo navashaiwi Varwirei paruoko rwowakaipa.
Havazivi, havanzwisisi; Vanofamba-famba murima; Nheyo dzose dzapasi dzinozununguka.
Ndakati, Muri vamwari, Mose muri vanakomana voWokumusorosoro.
Kunyange zvakadaro muchafa savanhu, Muchafa somumwe wamachinda.
Simukai Mwari, mutongere pasi; Nokuti ndudzi dzose dzichava nhaka yenyu.

83

Haiwa Jehovha, regai kuramba munyerere; Regai kuramba musingatauri, musanyarara Mwari.
Nokuti tarirai, vavengi venyu vanoita bope; Vanokuvengai vakasimudza misoro yavo.
Vanofunga mano kuti vanyengere vanhu venyu, Vanorangana pamusoro pavakavanzwa nemi.
Vakati, Uyai, tivaparadze, varege kuzova rudzi; Kuti zita raIsiraeri rirege kuzorangarirwa.
Nokuti vakarangana nomoyo mumwe; Vanoita sungano kuzorwa nemi.
Matende aEdhomu navaIshimaeri, Moabhu navaHagari;
Gebhari, naAmoni, naAmareki; Firisitia pamwechete navagere Tire;
Asiriawo wakasangana navo; Vakabatsira vana vaRoti.
Muvaitire sezvamakaitira Midhiani; NaSisera, naJabhini, paRwizi Kishoni;
Ivo vakaparadzwa paEndori; Vakava mupfudze wapasi.
Itai vakuru vavo saOrebhi naZeebhi; Zvirokwazvo machinda avo ose saZebha naZarimuna;
Ivo vakati, Ngatizvitorere Ugaro hwaMwari huve hwedu.
Mwari wangu, muvaite seguruva rinondeyeswa nemhepo; Samakoto anodzingwa nemhepo.
Somoto unopisa dondo, Somurazvo womoto unopisa makomo;
Muvateverere saizvozvo nedutu renyu remhepo, Muvavhunduse nechamupupuri chenyu.
Fukidzai zviso zvavo nokunyadziswa; Kuti vatsvake zita renyu, Jehovha.
Ngavanyadziswe, vavhunduswe nokusingaperi; Zvirokwazvo, ngavanyadziswe vafe;
Vazive kuti imi moga, imi munezita rinonzi Jehovha, Ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwapasi pose.

84

Ugaro hwenyu hunodikanwa sei, Imi Jehovha wehondo!
Mweya wangu unoshuva, zvirokwazvo unopanga vazhe dzaJehovha; moyo wangu nenyama yangu zvinodana kuna Mwari mupenyu.
Zvirokwazvo, shiri yakazviwanira imba, Nyenganyenga yakazviwanira dendere, painoisa vana vayo, Ipo paaritari dzenyu, Jehovha wehondo, Mambo wangu, naMwari wangu.
Vakaropafadzwa vanogara mumba menyu; Vachagara vachikurumbidzai.
Akaropafadzwa munhu ane simba rake mamuri; Anemigwagwa inoenda Ziyoni mumoyo make.
Kana vachipfuura nomumupata wakaoma, vanouita nzvimbo inamatsime; Zvirokwazvo, mvura yomunhuruka inoufukidza nemikomborero.
Vanowedzera simba pasimba ravo, Mumwe nomumwe wavo anosvika pamberi paMwari paZiyoni.
Haiwa, Jehovha wehondo, inzwa munyengetero wangu; teererai nenzeve, Mwari waJakobho.
Tarirai, Mwari, nhovo yedu, Muone chiso chomuzodzwa wenyu.
Nokuti zuva rimwe pavazhe dzenyu rinokunda mamwe ane chiuru pakunaka. Ndinoti zviri nani kuti ndive murindi womukova mumba maMwari wangu, Pakuti ndigare pamatende avane zvakaipa.
Nokuti Jehovha Mwari izuva nenhovo; Jehovha achapa nyasha nokukudzwa; Hapana chinhu chakanaka chaanganyima vanofamba nokururama.
Jehovha wehondo, Akaropafadzwa munhu anovimba nemi.

85

Jehovha, makafarira nyika yenyu; Makadzosa Jakobho pakutapwa.
Makakanganwira kutadza kwavanhu venyu, Makafukidza zvivi zvavo zvose.
Makabvisa kutsamwa kwenyu kwose; Makazvidzora pahasha dzenyu dzakanyanya.
Tidzosei, Mwari muponesi wedu, Gumisai hasha dzenyu kwatiri.
Ko mucharamba makatitsamwira nokusingaperi? Muchasvitsa kutsamwa kwenyu kumarudzi namarudzi here?
Imi hamungatiraramisizve here, Kuti vanhu venyu vafare nemi?
Tiratidzei ngoni dzenyu, Jehovha, Mutipe ruponeso rwenyu.
Ndichanzwa zvichataura Mwari Jehovha; Nokuti achataura rugare kuvanhu vake nokuvatsvene vake; Asi ngavarege kudzokerazve kuupenzi.
Zvirokwazvo kuponesa kwake kuri pedo navanomutya; Kuti kubwinya kugare munyika yedu.
Ngoni nezvokwadi zvakasangana; Kururama norugare zvakatsvodana.
Zvokwadi zvinomera pasi; Kururama kwakatarira pasi kuri kudenga.
Zvirokwazvo, Jehovha uchapa zvinhu zvakanaka; Nyika yedu ichabereka zvibereko zvayo.
Kururama kuchamutungamirira; Kuchagadzirira tsoka dzake nzira.

86

Rerekai nzeve dzenyu, Jehovha, ndipindurei; Nokuti ndiri murombo nomushaiwi.
Chengetai mweya wangu; nokuti ndiri mudikanwi wenyu; Haiwa Mwari wangu, ponesai muranda wenyu anovimba nemi.
Ndinzwirei ngoni, Ishe; Nokuti ndinodana kwamuri zuva rose.
Fadzai mweya womuranda wenyu; Nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri Ishe wangu.
Nokuti imi, Ishe makanaka, munofarira kukanganwira, Mune ngoni zhinji kuna vose vanodana kwamuri.
Rerekerai nzeve yenyu, Jehovha kumunyengetero wangu; Teererai inzwi rokukumbira kwangu.
Pazuva rokutambudzika kwangu ndichadana kwamuri, Nokuti muchandipindura.
Hapana akafanana nemi pakati pavamwari, Ishe, Uye hapana mabasa akafanana namabasa enyu.
Ndudzi dzose dzamakaita dzichauya kuzonamata pamberi penyu, Ishe, Dzicharumbidza zita renyu.
Nokuti imi muri mukuru, munoita Ndimi Mwari woga.
Ndidzidzisei nzira yenyu, Jehovha, ndichafamba muzvokwadi yenyu, Batanidzai moyo wangu kuti nditye zita renyu.
Ndichakurumbidzai, Ishe Mwari wangu, nomoyo wangu wose, Ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi.
Nokuti ngoni dzenyu ihuru kwandiri; Makarwira mweya wangu pagomba rakadzika-dzika.
Mwari, vanozvikudza vakandimukira, Ungano yavanhu, vanomanikidza, vakatsvaka mweya wangu, Havana kukuisai pamberi pavo.
Asi imi, Ishe muri Mwari une tsitsi nenyasha, Hamukurumidzi kutsamwa, mune ngoni zhinji nezvokwadi.
Ringirai kwandiri, mundinzwire ngoni; Ipai muranda wenyu simba renyu, Muponese mwanakomana womurandakadzi wenyu.
Ndiratidzei chiratidzo mundiitire zvakanaka; Kuti vanondivenga vazvione, vanyadziswe; Nokuti imi Jehovha, makandibatsira nokundinyaradza.

87

Nheyo dzake dziri pamakomo matsvene.
Jehovha anoda masuo eZiyoni Kupfuura pose panogara Jakobho.
Zvinhu zvakanakisa zvinotaurwa pamusoro pako, Iwe guta raMwari.
Rahabhi neBhabhironi ndichati vari pakati pavanondiziva; Tarirai, Firisitia, neTire, neItiopia; Munhu uyu akazvarirwako.
Zvirokwazvo, pamusoro peZiyoni vachati, Uyu nouyo vakazvarirwamo; Naiye Wokumusorosoro amene acharisimbisa.
Jehovha achaverenga, pakunyora kwake ndudzi, achiti, Munhu uyu akazvarirwako.
Vanoimba navanotamba, vachati, Matsime angu ose ari mauri.

88

Jehovha, Mwari muponesi wangu, Ndakachema masikati nousiku pamberi penyu;
Munyengetero wangu ngaupinde pamberi penyu; Rerekerai nzeve yenyu munzwe kuchema kwangu;
Nokuti mweya wangu uzere namatambudziko, Upenyu hwangu hwoswedera kuSheori.
Ndinoverengwa pamwechete navanoburukira kugomba; Ndakafanana nomunhu anoshaiwa mubatsiri;
Ndakarashirwa pakati pavakafa, Savakaurawa vavete mubwiro, Vamusati mucharangarira; Vakagurwa paruoko rwenyu.
Makandiisa mugomba rakadzika-dzika, Panzvimbo dzine rima, makadzika kwazvo.
Hasha dzenyu dzinorema kwazvo pamusoro pangu, Makanditambudza namafungu enyu ose.
Makaisa vazikani vangu kure neni; Makandiita chinhu chinonyangadza kwavari; Ndakapfigirwa, handigoni kubuda.
Ziso rangu ropera nemhaka yokutambudzika; Ndakadana kwamuri, Jehovha, zuva rimwe nerimwe, Ndakatambanudzira maoko angu kwamuri.
Mungaitira vakafa zvinoshamisa here? Ko vakaparara vangamuka vakakurumbidzai here?
Hunyoro hwenyu hungaparidzwa mubwiro here? Kana kutendeka kwenyu mukuparadza here?
Zvishamiso zvenyu zvingazikanwa murima here? Nokururama kwenyu panyika yokukanganwa here?
Asi ndakachema kwamuri, Jehovha, Munyengetero wangu uchasvika pamberi penyu mangwanani.
Jehovha, munorashireiko mweya wangu? Munovanzireiko chiso chenyu kwandiri?
Kubva pauduku hwangu ndakanga ndichitambudzwa ndichirwiso-fa; Kana ndichityiswa nemi ndinoshaiwa mano.
Kutsamwa kwenyu kukuru kwakapfuura napamusoro pangu; Kutyisa kwenyu kwakandiparadza.
Zvakandikomberedza zuva rose semvura; Zvakandipoteredza pamwechete.
Iye, anondida, neshamwari yangu, makavaisa kure neni, Nomuzikani wangu ari murima.

89

Ndichaimba ndichireva ngoni dzaJehovha nokusingaperi; Ndichaparidza nomuromo wangu kutendeka kwenyu kumarudzi namarudzi.
Nokuti ndakati, Ngoni dzichavakwa nokusingaperi, Muchasimbisa kutendeka kwenyu mukudenga-denga mumene.
Ndakaita sungano nomusanangurwa wangu, Ndakapika kumuranda wangu Dhavhidhi, ndichiti,
Ndichamisa vana vako nokusingaperi, Nokuvaka chigaro chako choushe kusvikira kumarudzi namarudzi.
Kudenga-denga kucharumbidza zvishamiso zvenyu, Jehovha; Nokutendeka kwenyuwo paungano yavatsvene.
Nokuti ndianiko mudenga rose angaenzaniswa naJehovha? Ndianiko pakati pavanakomana vaMwari akafanana naJehovha?
Iye Mwari anotyiwa zvikuru paungano yavatsvene, Anofanira kutyiwa kupfuura vose vanomupoteredza.
Haiwa, Jehovha, Mwari wehondo, Ndianiko ane simba, akafanana nemi, Jehovha? Kutendeka kwenyu kunokukomberedzai.
Ndimi munobata kuzvikudza kwegungwa; Kana mafungu aro achisimuka, ndimi munoanyaradza.
Makaputsanya Rahabhi, somunhu akaurawa; Makaparadzira vavengi venyu noruoko rwenyu rune simba.
Kudenga-denga ndokwenyu, napasi ndopenyuwo; Nyika nezvose zvayo, ndimi makazviteya.
Kumusoro nenyasi, ndimi makazvisika; Tabhori neHerimoni anofara nezita renyu.
Munoruoko rune simba; Chanza chenyu chine simba, ruoko rwenyu rworudyi rwakasimudzwa.
Kururama nokururamisa ndidzo nheyo dzechigaro chenyu choushe; Ngoni nezvokwadi zvinokutungamirirai.
Vakaropafadzwa vanhu vanoziva inzwi romufaro; Vanofamba, Jehovha, muchiedza chechiso chenyu.
Vanofara muzita renyu zuva rose; Vanosimudzwa nokururama kwenyu.
Nokuti imi muri kubwinya kwesimba ravo; Runyanga rwedu ruchasimudzwa netsitsi dzenyu.
Nokuti nhovo yedu ndeyaJehovha; Namambo wedu ndowoMutsvene waIsiraeri.
Panguva iyo makataura navatsvene venyu pakuzviratidza kwenyu, Mukati, Ndakabatsira mhare; Ndakasimudza mumwe wakasanangurwa pakati pavanhu.
Ndakawana Dhavhidhi muranda wangu; Ndakamuzodza namafuta angu matsvene;
Chanza changu chichasimbiswa naye; Ruoko rwanguvo ruchamusimbisa.
Muvengi haangamumanikidzi; Mwanakomana wezvakaipa haangamutambudzi.
Ndichaparadza vadzivisi vake pamberi pake, Ndicharova vanomuvenga.
Asi kutendeka kwangu nengoni dzangu zvichava naye; Runyanga rwake ruchasimudzwa nezita rangu.
Ndichaisawo ruoko rwake pamusoro pegungwa, Noruoko rwake rworudyi pamusoro penzizi.
Iye achadana kwandiri, achiti, Ndimi baba vangu, Mwari wangu, nedombo rokuponeswa kwangu.
Ndichamuitawo dangwe rangu, Mukuru wamadzimambo apasi.
Ndichamuchengetera ngoni dzangu nokusingaperi, Sungano yangu icharamba yakasimba kwaari.
Vana vake ndichavagarisawo nokusingaperi, Chigaro chake choushe chichafanana namazuva okudenga.
Kana vana vake vakasiya murayiro wangu, Vakasafamba nezvandakatonga;
Kana vakazvidza zvandakatema, Vakasachengeta mirau yangu;
Ipapo ndichavaranga neshamhu pamusoro pokudarika kwavo, Uye nokurova pamusoro pokuipa kwavo.
Asi handingamutoreri unyoro hwangu chose, Kana kutendera kutendeka kwangu kuitiswa nhema.
Sungano yangu handingaizvidzi, Kana kushandura chinhu chakabuda pamuromo wangu.
Ndakapika kamwe chete neutsvene hwangu; Handingarevi nhema kuna Dhavhidhi;
Vana vake vachavapo nokusingaperi, Chigaro chake choushe chichafanana nezuva pamberi pangu.
Chichasimbiswa nokusingaperi somwedzi, Sechapupu chakatendeka chiri kudenga.
Asi imi makarasha nokuramba, Makatsamwira muzodzwa wenyu.
Makasema sungano yomuranda wenyu; Makazvidza korona yake mukaikandira pasi.
Makaputsa madziro ake ose; Makaita nhare dzake matongo.
Vose vanopfuura nenzira vanopamba nhumbi dzake; Wava chinhu chinosekwa navaanogara navo.
Makasimudza ruoko rworudyi rwavadzivisi vake; Makafadza vavengi vake vose.
Zvirokwazvo, munodzosa munondo wake unopinza, Hamuna kumusimbisa pakurwa.
Makagumisa kubwinya kwake, Makawisira pasi chigaro chake choushe.
Makatapudza mazuva ohujaya hwake; Makamufukidza nokunyara.
Jehovha, muchazvivanza nokusingaperi kusvikira rinhiko? Kutsamwa kwenyu kuchapisa somoto kusvikira rinhiko?
Haiwa, rangarirai kuti nguva yangu ipfupi kwazvo; Kuti makasikira vana vavanhu vose zvinhu zvisina maturo kwazvo!
Ndoupiko munhu angararama akasaona kufa, Angarwira mweya wake pasimba reSheori here?
Ishe, unyoro hwenyu hwakare huripiko, Hwamakapika kuna Dhavhidhi nokutendeka kwenyu here?
Rangarirai, Ishe, kushorwa kwavaranda venyu; Kuti ndinotakura muchipfuva changu kushora kwavanhu vazhinji;
Uko kwakashora vavengi venyu nako, Jehovha, Kwavakashora nako makwara omuzodzwa wenyu.
Jehovha ngaavongwe nokusingaperi. Ameni, zvirokwazvo, Ameni.

90

Ishe, makanga muri ugaro hwedu Pamarudzi namarudzi.
Makomo asati azvarwa, Musati matongosika nyika nevhu, Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi imi muri Mwari.
Munodzosera munhu kuguruva; Muchiti, Dzokai vana vavanhu.
Nokuti kwamuri makore ane chiuru Akangofanana nezuva razuro kana rapfuura, Senguva yokurinda yousiku.
Munovakukura semvura zhinji; vava sehope; Mangwanani vakaita souswa hunomera.
Mangwanani hunotumbuka, hunomera; Madekwana hunodzurwa, ndokusvava.
Nokuti tinopedzwa nokutsamwa kwenyu, Tinotambudzika nehasha dzenyu.
Makaisa zvakaipa zvedu pamberi penyu, Zvivi zvedu zvakavanzika pachiedza chechiso chenyu.
Nokuti mazuva edu ose anopfuura makatsamwa; Makore edu anopera sorungano.
Mazuva amakore edu anosvika makore makumi manomwe, Kana tine simba makore makumi masere; Asi kunyange achikudzwa ndiko kutambudzika nenhamo bedzi. Nokuti gare-gare aenda, nesu tabhururuka taenda.
Ndianiko anoziva simba rokutsamwa kwenyu, Nehasha dzenyu, kuti mutyiwe zvakafanira here?
Tidzidzisei kunatsoverenga mazuva edu, Kuti tizviwanire moyo wakachenjera.
Dzokai Jehovha; kusvikira rinhiko? Muzvidembe pamusoro pavaranda venyu.
Tigutsei mangwanani nengoni dzenyu; Kuti tifarise, tive nomufaro mazuva edu ose.
Tifadzei zvinoenzana namazuva amakatitambudza, Namakore atakaona zvakaipa.
Zvamakaita ngazvionekwe navaranda venyu, Nokubwinya kwenyu pamusoro pavana vavo.
Kunaka kwaJehovha Mwari wedu ngakuve pamusoro pedu; Mutisimbisire basa ramaoko edu; Zvirokwazvo, basa ramaoko edu murisimbise.

91

Uyo agere panzvimbo yokuvanda yoWokumusorosoro Acharambira pamumvuri wowaMasimbaose.
Ndichati pamusoro paJehovha, Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Iye Mwari wangu, wandinovimba naye.
Nokuti iye achakurwira parugombe rwomuteyi weshiri, Napahosha inouraya zvikuru.
Iye achakufukidza nemhinenga yake, Uchatizira pasi pamapapiro ake; Zvokwadi yake inhovo huru neduku.
Haungatyi chinhu chinovhundusa usiku, Kana museve unofurwa masikati;
Kana hosha inofamba murima, Kana kuparadza kunouraya masikati.
Kurutivi rwako kuchawa vane gumi ramazana, Nezana ramazana paruoko rwako rworudyi; Asi hazvingaswederi kwauri.
uchangozvitarira hako nameso ako Ukaona mubayiro wavakaipa.
Nokuti imi Jehovha, muri utiziro hwangu! Iwe wakaita Wokumusorosoro ugaro hwako.
Hapana chakaipa chingakuwira, Uye hapana hosha ichaswedera patende rako.
Nokuti iye acharaira vatumwa vake pamusoro pako, Kuti vakuchengete panzira dzako dzose.
Vachakusimudza pamaoko avo, Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabwe.
Uchatsika pamusoro peshumba nechiva; Mwana weshumba nenyoka uchazvitsikirira pasi.
Zvaakandida, ndichamurwira; Ndichamuisa pakakwirira, nokuti wakaziva zita rangu.
Iye achadana kwandiri, ndichamupindura; Ini ndichava naye pakutambudzika; Ndichamurwira, nokumukudza.
Ndichamugutsa noupenyu hurefu, Nokumuratidza ruponeso rwangu.

92

Zvakanaka kuvonga Jehovha, Nokuimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusorosoro;
Kuparidza unyoro hwenyu mangwanani, Nokutendeka kwenyu usiku hwose,
Nechinoridzwa chine ungiso gumi, nomutengeranwa; Nenzwi rakanaka pambira.
Nokuti imi, Jehovha, makandifadza nezvamakaita; Ndichafara kwazvo namabasa amaoko enyu.
Mabasa enyu akakura seiko, Jehovha! Mifungo yenyu yakadzika kwazvo.
Asina njere haazvizivi; Benzi harinzwisisi izvozvi,
Kana vakaipa vachimera souswa, Uye kana vaiti vose vezvakaipa vachikura; Zvinoitwa kuti vaparadzwe nokusingaperi.
Asi imwi Jehovha muri kumusoro nokusingaperi.
Nokuti tarirai, Jehovha, vavengi venyu, Nokuti tarirai, Jehovha, vavengi venyu vachaparara; Vaiti vose vezvakaipa vachaparadzirwa.
Asi runyanga rwangu makarusimudza sorunyanga rwenyati; Ndakazodzwa namafuta matsva.
Ziso rangu rakaona zvakaitirwa vavengi vangu, Nzeve dzangu dzakanzwa zvakaitirwa vaiti vezvakaipa, vakandimukira.
Akarurama achamera somuchindwe; Achakura somusidhari paRebhanoni.
Vakasimwa mumba maJehovha Vachakura muvazhe dzaMwari wedu.
Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo; Vachava vanyoro navatsva;
Kuti vaparidze kuti Jehovha akarurama; Ndiye dombo rangu, hapana chinhu chisina kururama maari.

93

Jehovha anobata ushe; akafuka umambo; Jehovha akafuka simba, akazvisunga chiuno naro; Nyikawo yakateyiwa, haingazununguswi.
Chigaro chenyu choushe chakasimbiswa kubva kare; Imi muripo kubva pakusingaperi.
Jehovha, Nzizi dzakanzwisa manzwi adzo; Nzizi dzinonzwisa kutinhira kwadzo.
Jehovha anokunda manzwi emvura zhinji, Namafungu ane simba egungwa, Jehovha, ari kumusoro, ndiye ane simba.
Zvipupuriro zvenyu ndezvamazvokwadi kwazvo; Utsvene hunofanira imba yenyu, Jehovha, nokusingaperi.

94

Jehovha, Mwari mutsivi, Imi Mwari mutsivi, penyai.
Zvisimudzei, imi Mutongi wenyika; Ipai vanozvikudza sezvavakafanira.
Jehovha, vakaipa vachafara kwazvo kusvikira rinhiko, Vakaipa vachafara kwazvo kusvikira rinhi?
Vanongotaura havo, vanotaura vachizvikudza, Vaiti vose vezvakaipa vanoita manyawi.
Vanopwanya vanhu venyu, Jehovha, Vachitambudza nhaka yenyu.
Vanouraya chirikadzi nomweni, Nenherera vanodziuraya.
Vachiti, Jehovha haazvioni, Mwari waJakobho haazvirangariri.
Rangarirai imi vasina njere pakati pavanhu; Nemi mapenzi, muchava vakachenjera rinhiko?
Iye, akasima nzeve, haanganzwi here? Iye, akaumba ziso, haangaoni here?
Iye,anoranga vahedheni, haangarairi here? Iye, anodzidzisa vanhu zivo?
Jehovha anoziva kufunga kwavanhu,) Kuti hazvina maturo.
Akaropafadzwa munhu, anorangwa nemi, Jehovha, lye wamunodzidzisa pamurayiro wenyu;
Kuti mumuzorodzei pamazuva okutambudzika, Kusvikira vakaipa vachererwa gomba.
Nokuti Jehovha haangarashi vanhu vake, Uye haangasiyi nhaka yake.
Nokuti kutonga kuchadzokera kukururama; Vose vane moyo yakarurama vachakutevera.
Ndianiko achandirwira pavaiti vezvakaipa? Ndianiko achandibatsira panavanoita zvakaipa?
Dai Jehovha aisava mubatsiri wangu, Mweya wangu ungadai wakakurumidza kugara pakati mwii.
Panguva yandakati, Rutsoka rwangu rwotedzemuka, Ngoni dzenyu,Jehovha, dzakanditsigira.
Mundangariro dzangu zhinji mukati mangu Kunyaradza kwenyu kunofadza mweya wangu.
Chigaro chezvakaipa chingashamwaridzana nemi here, Icho chinofunga kuita zvakashata nemitemo yacho?
Vanounganira upenyu hwowakarurama, Vachipa mhosva ropa risina mhosva.
Asi Jehovha ndiye nhare yangu yakasimba; Mwari wangu idombo routiziro hwangu.
Achadzosera pamusoro pavo kutadza kwavo, Achavaparadza pakati pokuita kwavo; Jehovha Mwari wedu achavaparadza.

95

Uyai, tiimbire Jehovha; Ngatipururudzei dombo rokuponeswa kwedu.
Ngatisvike pamberi pake tichivonga, Ngatimupururudzirei namapisarema,
Nokuti Jehovha ndiMwari mukuru, ,Mambo mukuru anokunda vamwari vose.
Nzvimbo dzakadzika dzapasi dziri muruoko rwake; Misoro yamakomo ndeyakewo.
Gungwa nderake, ndiye akariita; Maoko ake akaumba nyika yakaoma.
Uyai, tinamate tikotamire pasi; Ngatipfugame pamberi paJehovha Muiti wedu.
Nokuti ndiye Mwari wedu, Isu tiri vanhu vanofudzwa naye, namakwai oruoko rwake. Nhasi dai muchinzwa henyu inzwi rake!
Regai kuomesa moyo yenyu sapaMeribha, Sapazuva reMasa murenje;
Panguva yandakaidzwa namadzibaba enyu, Vakandiidza, vakaona zvandakaita.
Ndakanza ndine shungu pamusoro porudzi urwo makore makumi mana, Ndikati, Ndivanhu vakarashika pamoyo yavo, Havana kuziva nzira dzangu;
Saka ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati, Havangazopindi pazororo rangu.

96

Imbirai Jehovha rwiyo rutsva; Imbirai Jehovha, pasi pose.
Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake; Paridzai kuponesa kwake zuva rimwe nerimwe.
Dudzirai kubwinya kwake pakati pavahedheni, Mabasa ake, anoshamisa pakati pendudzi dzose.
Nokuti Jehovha mukuru, anofanira kurumbidzwa kwazvo; Anofanira kutyiwa kupfuura vamwari vose.
Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo hazvo; Asi Jehovha akaita kudenga-denga.
Kukudzwa noumambo zviri pamberi pake; Simba nokunaka zviri panzvimbo yake tsvene.
Ipai Jehovha, imi mhuri dzavanhu, Ipai Jehovha kukudzwa nesimba.
Ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake; Uyai nechipiriso, mupinde muvazhe dzake.
Namatai kuna Jehovha nenguva tsvene; Pasi pose panobvunda pamberi pake.
Itiyi pakati pavahedheni, Jehovha ndiye anobata ushe; Nyikawo yakasimbiswa, kuti irege kuzununguswa; Iye achatonga vanhu zvakarurama.
Kudenga-denga ngakufare, kwazvo; Gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mukati maro;
Sango ngarive nomufaro, nezvose zviri mukati maro; Ipapo miti yose yedondo ichaimba nomufaro;
Pamberi paJehovha, nokuti anouya; Nokuti anouya kuzotonga pasi; uchatonga nyika zvakarurama, Nendudzi nokutendeka kwake.

97

Jehovha anobata ushe; nyika ngaifare kwazvo; Zviwi zvizhinji ngazvifare.
Makore nerima zvinomukomberedza; Kururama nokururamisa ndidzo nheyo dzechigaro chake choushe.
Moto unotungamira pamberi pake, Uchipisa vadzivisi vake pamativi ose.
Mheni dzake dzakavheneka nyika yose; Pasi pakaona, ndokubvunda.
Makomo akanyauka senamo pamberi paJehovha, Pamberi paShe wapasi pose.
Kudenga-denga kunoparidza kururama kwake, Ndudzi dzose dzakaona kubwinya kwake.
Vose, vanoshumira mifananidzo yakaveziwa, vanonyadziswa, Ivo vanozvirumbidza pamusoro pezvifananidzo; Namatai kwaari, imi vamwari vose
Ziyoni rakanzwa ndokufara, Navakunda vaJudha vakafara kwazvo; Nokuda kwezvamakatonga, imi Jehovha.
Nokuti imi Jehovha, muri kumusoro-soro kwapasi pose; Makakwirira kupfuura vamwari vose.
Vengai zvakaipa, imi munoda Jehovha; Iye anochengeta mweya yavatsvene vake; Unovarwira paruoko rwawakaipa.
Chiedza chinodzvarirwa wakarurama, Nomufaro vane moyo yakarurama.
Farai munaJehovha, imi vakarurama; Vongai pakurangarira utsvene hwake.

98

Imbirai Jehovha rwiyo rutsva; Nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa; Chanza chake chorudyi, noruoko rwake rutsvene, zvakamukundisa.
Jehovha akazivisa kuponesa kwake; Akaratidza pachena kururama kwake pamberi pavahedheni.
Akarangarira ngoni dzake nokutendeka kwake kuimba yaIsiraeri; Migumo yose yapasi yakaona kuponesa kwaMwari wedu.
Pururudzirai Jehovha, pasi pose; Danidzirai, muimbe nomufaro, imbai nziyo dzokurumbidza.
Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza nembira; Nembira, uye nenzwi rokuimba.
Nehwamanda, nenzwi romumanzi Pururudzai pamberi paMambo, Jehovha.
Gungwa ngaritinhire nezvose zviri mukati maro; Nenyika, navanogaramo.
Nzizi ngadziuchire; Namakomo ngaaimbe pamwechete nomufaro;
Pamberi paJehovha, nokuti anouya kuzotonga pasi, Achatonga nyika zvakarurama, Navanhu nokururama.

99

Jehovha anobata ushe; vanhu ngavabvunde; Iye agere pakati pamakerubhi; nyika ngaizununguswe.
Jehovha mukuru paZiyoni; Ari kumusoro-soro kwavanhu vose.
Ngavarumbidze zita renyu guru rinotyisa; Ndiye Mutsvene.
Simba ramambo rinodawo kururamisa; Imi munosimbisa kururama, Munotonga muchiruramisa pakati paJakobho.
Kudzai Jehovha Mwari wedu, Munamate pachitsiko chetsoka dzake; Ndiye Mutsvene.
Mozisi naAroni pakati pavapirisiti vake, NaSamueri pakati pavanodana zita rake; Vakadana kuna Jehovha, iye akavapindura.
Akataura navo ari mushongwe yegore; Vakachengeta zvipupuriro zvake nomutemo waakavapa.
Makavapindura, Jehovha Mwari wedu; Maiva Mwari aivakanganwira, Kunyange makatsiva zvavaiita.
Kudzai Jehovha Mwari wedu, Namatai pagomo rake dzvene; Nokuti Jehovha Mwari wedu ndiye Mutsvene.

100

Pururudzai Jehovha, imi nyika dzose.
Shumirai Jehovha nomufaro; Uyai pamberi pake muchiimba.
Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari; Ndiye wakatiita, tiri vanhu vake; Tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye.
Pindai pamasuo ake muchivonga, Napavazhe dzake muchirumbidza; Chimuvongai, murumbidze zita rake.
Nokuti Jehovha akanaka; ngoni dzake dziripo nokusingaperi; Nokutendeka kwake kumarudzi namarudzi.

101

Ndichaimba ndichireva ngoni nokururama; Ndimi Jehovha wandichaimbira nziyo dzokurumbidza.
Ndichaita zvose nokugwara panzira yakarurama; Haiwa, muchauya kwandiri rinhiko? Ndichafamba mumba mangu nomoyo wakarurama.
Handingavavariri chinhu chakaipa; Ndinovenga zvinoitwa navanotsauka; Hazvingandinamatiri.
moyo wakatsauka ngaubve kwandiri; Handidi kuziva zvakaipa.
Anoitira vokwake makuhwa, ndichamuparadza; Anotarira namanyawi, nounomoyo unozvikudza, handingavi nehanya naye.
meso angu achatarira vakatendeka panyika, kuti vagare neni; Munhu anofamba nenzira yakarurama, ndiye angava mushumiri wangu.
Anonyengera haangagari mumba mangu; Anoreva nhema haangarambiri pamberi pangu.
Mangwanani ose ndichaparadza vakaipa vose venyika; Kuti ndipedze vose vanoita zvakaipa paguta raJehovha.

102

Inzwai munyengetero wangu, Jehovha, Kuchema kwangu ngakusvikire kwamuri.
Regai kundivanzira chiso chenyu pazuva rokutambudzika kwangu; Rerekerai nzeve yenyu kwandiri; Pazuva rokudana kwangu kurumidzai kundipindura.
Nokuti mazuva angu anopera soutsi, Mapfupa angu anotsva sechitsa.
moyo wangu warohwa souswa, waoma; Nokuti ndinokanganwa kudya zvokudya zvangu.
Nokuda kwenzwi rokugomera kwangu Mapfupa angu anonamatira nyama yangu.
Ndafanana nehukurwizi yomurenje; Ndava sezizi romumatongo.
Handivati, ndafanana Neshiri iri yoga pamusoro pedenga reimba.
Vavengi vangu vanondituka zuva rose; Avo vanondipengera vanonditukisa kwazvo.
Nokuti ndakadya madota sezvokudya, Ndikavhenganisa zvokunwa zvangu nemisodzi.
Nokuda kwehasha dzenyu nokutsamwa kwenyu; Nokuti makandisimudza mukandirasha.
Mazuva angu akafanana nomumvuri wareba; Ndaoma souswa.
Asi imi Jehovha, muchavapo nokusingaperi; Marudzi namarudzi achakurangarirai.
Imi muchasimuka, mukanzwira Ziyoni ngoni; Nokuti nguva yavapo yokurinzwira tsitsi, zvirokwazvo, nguva, yakatarwa, yasvika.
Nokuti varanda venyu vanofarira mabwe aro, Vanonzwira tsitsi guruva raro.
Naizvozvo vahedheni vachatya zita raJehovha, Namadzimambo ose apasi kubwinya kwenyu;
Jehovha zvaakavaka Ziyoni, Akaonekwa nokubwinya kwake;
Akava nehanya nomunyengetero wavakakamurwa, Akasazvidza munyengetero wavo.
Izvi zvichanyorerwa rudzi runozouya; Vanhu, vachazosikwa, vacharumbidza Jehovha.
Nokuti wakatarira pasi ari panzvimbo yake tsvene yakakwirira; Jehovha akacherekedza nyika ari kudenga;
Kuti anzwe kugomera kwomusungwa; Kuti asunungure vana vorufu;
Kuti vanhu vaparidze zita raJehovha paZiyoni, Nokurumbidzwa kwake paJerusaremu;
Kana marudzi avanhu aungana, Noushe huzhinji, kuti vashumire Jehovha.
Wakatapudza simba rangu panzira; Wakafupisa mazuva angu.
Ndakati, Mwari wangu, regai kundibvisa mazuva angu achigere kusvika; Makore enyu anosvika kumarudzi namarudzi.
Makateya nyika kare-kare; Nedenga rose ibasa ramaoko enyu.
Zvichaparara izvo, asi imi muchagara muripo; Zvirokwazvo, izvozvo zvose zvichasakara senguvo; Muchazvishandura sechisimiro, zvikashanduka;
Asi imi hamushanduki, Makore enyu haangavi nomugumo.
Vana vavaranda venyu vachagara varipo, Navana vavo vachasimbiswa pamberi penyu.

103

Rumbidzai Jehovha, mweya wangu; Zvose zviri mukati mangu ngazvirumbidze zita rake dzvene.
Rumbidza Jehovha, mweya wangu, Urege kukanganwa mikomborero yake;
Iye, anokanganwira zvakaipa zvako zvose; Anoporesa kurwara kwako kwose;
Anodzikunura hupenyu hwako pakuparadzwa; Anokuisa korona younyoro nengoni;
Anogutisa moyo wako nezvakanaka; Kuti utsva hwako huvandudzwe segondo.
Jehovha anoita zvinhu zvakarurama, Nokururamisira vose vanomanikidzwa.
Akazivisa Mozisi nzira dzake, Navana vaIsiraeri zvaakaita.
Jehovha anetsitsi nenyasha, Haachimbidziki kutsamwa, ane ngoni zhinji.
Haangarambi achirwa; Uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi.
Haana kutiitira sezvakafanira zvivi zvedu, Kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu.
Nokuti sokukwirira kwokudenga kumusoro, Ndizvo zvakaita kukura kwengoni dzake kuna vanomutya.
Sokuva kure kwamabvazuva namavirira, Saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwose kure nesu.
Sokunzwira tsitsi kwababa vana vake, Saizvozvo Jehovha anonzwira tsitsi vanomutya.
Nokuti iye anoziva chatakaitwa nacho, Anorangarira kuti tiri guruva.
Kana ari munhu, mazuva ake akaita souswa; Seruva resango, iye anokura saizvozvo.
Nokuti imhepo inopfuura pamusoro paro, onei raenda; Nenzvimbo yaro haicharizivi.
Asi ngoni dzaJehovha dziripo nokusingaperi-peri kuna vanomutya, Nokururama kwake kuvana vavana vavo;
kuna ivo vanochengeta sungano yake, Nokuna vanorangarira zvaakaraira, kuti vazviite.
Jehovha akasimbisa chigaro chake choushe kudenga-denga; Ushe hwake hunobata zvinhu zvose.
Rumbidzai Jehovha, imi vatumwa vake; Imi mhare dzine simba, munoita zvaakataura, Muchiteerera inzwi reshoko rake.
Rumbidzai Jehovha, imi hondo dzake dzose; Imi vashumiri vake, vanoita zvinomufadza.
Rumbidzai Jehovha, imi mabasa ake ose, Panzvimbo dzose dzoumambo hwake; Rumbidza Jehovha, mweya wangu!

104

Rumbidza Jehovha, mweya wangu! Jehovha Mwari wangu, muri mukuru kwazvo; Makafukidzwa nokukudzwa noumambo.
Imi munozvifukidza nechiedza sechisimiro; Munotatamura kudenga-denga somucheka wetende;
Ndiye anoteya matanda edzimba dzake mumvura; Anoita makore ngoro yake; Anofamba pamusoro pamapapiro emhepo
Anoita mhepo nhume dzake; Nomoto, unopfuta, vashumiri vake;
Akateya nheyo dzapasi; Kuti parege kuzununguswa nokusingaperi,
Makapafukidza nemvura yakadzika sechisimiro; Mvura zhinji yakamira pamusoro pamakomo,
Makati muchituka ikatiza; inzwi rokutinhira kwenyu rakati richinzwika, ikachimbidzika kuenda.
Makomo akakwira, mipata yakaderera; Ikaenda kunzvimbo yamakaigadzirira,
Makaitarira muganho, kuti irege kudarika; Kuti irege kudzoka kuzofukidza pasizve.
Anotuma matsime mumipata; Mvura inoyerera napakati pamakomo;
Anonwisa mhuka dzose dzesango; Mbizi dzinopedza nyota yadzo.
Shiri dzokudenga dzinogara paari, Dzinorira pakati pamatavi.
Anodiridza makomo ari padzimba dzake; Pasi panogutiswa nechibereko chamabasa enyu.
Anomeresa uswa hwezvipfuwo, Nemiriwo, inobatsira vanhu; Kuti abudise zvokudya pasi;
Newaini inofadza moyo womunhu, Namafuta anobwinyisa chiso chake, Nechingwa chinosimbisa moyo womunhu.
Miti yaJehovha inoguta; Iyo misidhari yeRebhanoni yaakasima;
Apo panovaka shiri matendere adzo, Kana riri zimudo, miti yemisipiresi ndiyo imba yaro.
Makomo marefu ndeetsoma; Matombo ndihwo utiziro hwembira.
Akatara mwedzi kuti uratidze nguva; Zuva rinoziva nguva yokuvira kwaro.
Munoita rima, usiku ndokuvapo; Panguva iyo mhuka dzose dzedondo dzinobuda.
Vana veshumba vanoomba vachitsvaka zvavangauraya, Vanotsvaka zvokudya zvavo kuna Mwari.
Kana zuva richibuda, dzinoenda hadzo, Dzichindovata mumapako adzo.
Zvino munhu obudira kubasa rake. Nokumurimo wake kusvikira madekwana.
Haiwa Jehovha, mabasa enyu mazhinji sei! Makaaita ose nenjere; Pasi pazere nefuma yenyu.
Hero gungwa, rakakura ibamhi, Mukati maro mune zvinhu zvinokambaira zvisingagoni kuverengwa, Zvipenyu zviduku nezvikuru.
Hezvo zvikepe, zvinofamba; Heyo ngwena yamakaumba, kuti itambe mariri.
Izvi zvose zvinokumirirai, Kuti muzvipe zvokudya zvazvo nenguva yakafanira.
Zvamunozvipa imi, ndizvo zvazvinounganidza; Munotadzanura ruoko rwenyu, izvo ndokuguta nezvakanaka.
Munovanza chiso chenyu, izvo ndokuvhunduswa; Munozvitorera mweya wazvo, izvo ndokufa, Zvichidzokera kuguruva razvo.
Munotuma mweya wenyu, izvo ndokusikwa; Munovandudza chiso chevhu.
Kubwinya kwaJehovha ngakugare nokusingaperi; Jehovha ngaafarire mabasa ake;
Iye anotarira pasi, ipo ndokubvunda; Unonyangata makomo, iwo ndokubudisa utsi.
Ndichaimbira Jehovha panguva yose youpenyu hwangu; Ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiripo.
Kurangarira kwangu ngakumufadze; Ndichafara kwazvo muna Jehovha.
Vatadzi ngavaparadzwe pasi, Navakaipa ngavarege kuzovapo. Rumbidzai Jehovha, mweya wangu. Hareruya

105

Vongai Jehovha, mudane zita rake; Zivisai zvaakaita pakati pendudzi dzavanhu.
Muimbirei, mumuimbire nziyo dzokukudza; Rondedzerai mabasa ake ose anoshamisa.
Zvirumbidzei muzita rake dzvene; moyo yavanotsvaka Jehovha ngaifare kwazvo.
Tsvakai Jehovha nesimba rake; Tsvakai chiso chake nguva dzose.
Rangarirai mabasa ake anoshamisa, aakaita; Zvishamiso zvake, nezvaakatonga nomuromo wake;
Imi vana vaAbhurahamu, muranda wake, Imi vanakomana vaJakobho, vasanangurwa vake.
Ndiye Jehovha Mwari wedu; Zvaakatonga zviri pasi pose.
Wakarangarira sungano yake nokusingaperi, Iro shoko raakaraira kumarudzi ane chiuru;
Iyo sungano yaakaita naAbhurahamu, Nemhiko yake kuna Isaka.
Akazvisimbisira Jakobho, kuti uve mutemo, Kuna Isiraeri kuti ive sungano isingaperi;
Achiti, Ndichakupa iwe nyika yeKanani, Uve mugove wenhaka yenyu;
Panguva yavakanga vachiri varume vashoma pakuverengwa, Zvirokwazvo, vashoma kwazvo, navatorwa mairi;
Vakafamba-famba vachibva kuno rumwe rudzi vachienda kuno rumwe, Nokubva kunoumwe ushe vachienda kuna vamwe vanhu.
Haana kutendera munhu kuvaitira zvakaipa; Zvirokwazvo, wakatuka madzimambo nokuda kwavo;
Achiti, Musagunzva vazodzwa vangu, Navaporofita vangu musavaitira chakaipa.
Akadana nzara kuti iuye panyika; Akavhuna mudonzvo wose wechingwa.
Akatuma murume pamberi pavo; Josefa akatengeswa akava muranda;
Vakakuvadza tsoka dzake nezvisungo zvesimbi, Akasungwa namaketani amatare;
Kusvikira panguva yakaitika shoko rake; Shoko raJehovha rakamuidza.
Mambo akatuma nhume akamusunungura; Mubati wendudzi dzavanhu, akamuregedza.
Akamuita ishe weimba yake, Nomubati wefuma yake yose;
Kuti araire machinda ake nokuda kwake, Nokudzidzisa vakuru vake huchenjeri.
Isiraeri akasvikawo Ijipiti, NaJakobho wakagara ari mutorwa panyika yaHamu.
Akawanza vanhu vake kwazvo, Akavapa simba rakapfuura ravadzivisi vavo.
Wakashandura moyo yavo kuti vavenge vanhu vake, Kuti vanyengere varanda vake.
Akatuma Mozisi muranda wake, NaAroni waakanga asanangura.
Ivo vakaratidza zviratidzo zvake pakati pavo, Nezvishamiso panyika yaHamu.
Akatuma rima, akaisvibisa; Vakasamukira mashoko ake.
Akashandura mvura yavo yose, ikaita ropa, Akauraya hove dzavo.
Nyika yavo yakazara namatatya, Mudzimba dzamadzimambo avo.
Akataura, mapupira enhunzi akasvika, Nenda panyika yavo yose.
Akavapa chimvuramabwe panzvimbo yemvura, Uye moto wakapfuta munyika yavo.
Wakarovawo mizambiringa yavo nemionde yavo; Akavhuna-vhunawo miti yenyika yavo
Akataura, mhashu dzikasvika, Namagwatakwata asingagoni kuverengwa.
Zvikapedza miriwo yose munyika yavo, Nokupedza zvibereko zvevhu ravo.
Akarovawo matangwe ose munyika yavo, Ivo vokutanga vesimba ravo rose.
Akavabudisa vane sirivha nendarama; Kwakanga kusina nomumwe pakati pamarudzi avo wakashaiwa simba.
Nyika yeIjipiti yakafara pakubva kwavo, Nokuti vakanga vabatwa nokutya nokuda kwavo.
Wakatatamura gore rikava chifukidzo; Nomoto kuzovhenekera usiku.
Vakakumbira, akauyisa zvihuta, Akavagutisa nechingwa chakabva kudenga.
Akazarura dombo, mvura zhinji ikadzutuka; Ikayerera pakanga pakaoma sorwizi.
Nokuti akarangarira shoko rake dzvene, NaAbhurahamu muranda wake.
Akabudisa vanhu vake nomufaro, Navasanangurwa vake vachiimba.
Akavapa nyika dzavahedheni; Vakazvitorera zvakanga zvabatwa nendudzi dzavanhu;
Kuti vachengete zvaakatema, Nokuteerera mirairo yake. Hareruya.

106

Hareruya. Vongai Jehovha, nokuti akanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Ndianiko angareva zvinhu zvine simba zvakaitwa naJehovha, Kana kududzira kurumbidza kwake kwose?
Vakaropafadzwa vanochengeta kururama, Naiye anoita zvakarurama nguva dzose.
Ndirangarirei Jehovha, nounyoro hwamunahwo kuvanhu venyu; Ndishanyirei noruponeso rwenyu.
Kuti ndione kukomborerwa kwavasanangurwa venyu, Kuti ndifare kwazvo nomufaro wavanhu venyu, Kuti ndirumbidze pamwechete nenhaka yenyu.
Takatadza pamwechete namadzibaba edu, Takaita pamwechete namadzibaba edu, Takaita zvisina kururama, takaita zvakaipa.
Madzibaba edu haana kunzwisisa zvishamiso zvenyu paIjipiti; Haana kurangarira ngoni dzenyu zhinji; Asi vakakumukirai pagungwa, ipo paGungwa Dzvuku.
Kunyange zvakadaro akavaponesa nokuda kwezita rake, Kuti azivise simba rake guru.
Akarairawo Gungwa Dzvuku, rikapwa, Akavafambisa pakadzika sapanenge pabani.
Akavaponesa paruoko rwowaivavenga. Akavadzikunura paruoko rwomuvengi.
Mvura zhinji yakafukidza vadzivisi vavo; Kwakanga kusina nomumwe wavo akasara.
Ipapo vakatenda mashoko ake; Vakaimba vachimurumbidza.
Vakachimbidzika kukanganwa mabasa ake; Havana kurindira zano rake.
Asi vakachiva kwazvo-kwazvo murenje, Vakaidza Mwari mugwenga.
Akavapa chavakakumbira; Asi akatuma kuonda mumweya yavo.
Vakagodora Mozisi pamisasa, NaAroni, mutsvene waJehovha.
Pasi pakashama pakamedza Dhatani, Pakafukidza boka raAbhirami.
Moto ukapfuta pakati peboka ravo; Murazvo ukapisa vakaipa.
Vakaita mhuru paHorebhi, Vakanamata mufananidzo wakaumbwa.
Vakatsinhana saizvozvo kubwinya kwavo Nomufananidzo wemombe, inochera bundo.
Vakakanganwa Mwari muponesi wavo, Wakaita zvinhu zvikuru paIjipiti;
Mabasa anoshamisa munyika yaHamu, Nezvinhu zvinotyisa paGungwa Dzvuku.
Saka akati, Ndinoda kuvaparadza; Dai Mozisi musanangurwa wake asina kumira pamberi pake ipo pakaputsika, Kuti adzore kutsamwa kwake, arege kuvaparadza.
Zvirokwazvo, vakazvidza nyika inofadza, Havana kutenda shoko rake;
Asi vakanyunyuta mumatende avo, Vakasateerera inzwi raJehovha.
Saka wakavasimudzira ruoko rwake. Kuti avaparadze murenje;
Uye kuti aparadze vana vavo pakati pavahedheni. Avaparadzire panyika dzose.
Vakazvibatanidzawo naBhaaripeori, Vakadya zvakabayirwa vakafa.
Naizvozvo vakamutsamwisa nezvavakaita; Denda ndokupinda pakati pavo.
Ipapo Pinehasi akasimuka, akaita zvakarurama; Denda ndokuguma.
Izvozvo zvikanzi kwaari kururama, Kusvikira kumarudzi namarudzi nokusingaperi.
Vakamutsamwisawo pamvura zhinji yeMeribha, Naizvozvo Mozisi akaoneswa nhamo nokuda kwavo;
Nokuti vakamukira mweya wake, Iye akataura nehasha nemiromo yake.
Havana kuparadza ndudzi dzavanhu, Sezvavakanga varairwa naJehovha,
Asi vakavengana navahedheni, Vakadzidza mabasa avo;
Vakashumira zvifananidzo zvavo; Izvo zvikava musungo kwavari.
Zvirokwazvo, vakabayira mweya yakaipa vanakomana vavo navanasikana vavo,
Vakateura ropa risina mhosva, iro ravanakomana vavo navanasikana vavo, Vakavabayira zvifananidzo zveKanani; Nyika ikasvibiswa neropa.
Vakasvibiswa saizvozvo namabasa avo, Vakapata pane zvavakaita.
Saka kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vanhu vake, Akasema nhaka yake.
Akavaisa muruoko rwavahedheni; Vakavavenga ndivo vaivabata.
Vavengi vavo vakavamanikidzawo, Vakaiswa pasi poruoko rwavo.
Akavarwira kazhinji, Asi vakamumukira pakurangana kwavo, Vakanyudzwa muzvakaipa zvavo.
Kunyange zvakadaro akatarira kutambudzika kwavo, Panguva yaakanzwa kuchema kwavo;
Akarangarira sungano yake nokuda kwavo, Akazvidemba nokuda kwokuwanda kwengoni dzake.
Akavanzwisawo tsitsi Navose vakanga vavatapa.
Tiponesei, Jehovha Mwari wedu, Tiunganidzei, tibve pakati pavahedheni, Kuti tivonge zita renyu dzvene, Tifarisise pakukurumbidzai.
Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi. Vanhu vose ngavati, Ameni. Hareruya.

107

Vongai Jehovha, nokuti iye wakanaka; nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaoeri
Vakadzikunurwa naJehovha ngavadaro, Ivo vakadzikunurwa muruvoko rwomudzivisi;
Akavavunganidza panyika dzose kumabvazuva nekumavirira, kumusoro nezasi.
vakafamba-famba murenje munzira yomugwenga;Havana kuwana muguta mavangagara
vakafa nenzara nenyota,Mweya yavo ikaziya mukati mavo.
Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, Iye akavarwira panjodzi dzavo.
Wakavafambisawo nenzira yakarurama, Kuti vasvike kuguta rokugara.
Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake, anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu!
Nokuti anogutisa mweya, une nyota, Uye mweya, une nzara, anouzadza nezvakanaka.
Ndivo, vakanga vagere murima nomumvuri worufu, Vakanga vakasungwa mukutambudzika namatare,
Nokuti vakamukira mashoko aMwari, Vakashora zano roWokumusorosoro;
Saka wakaninipisa moyo yavo nokutambura; Vakawira pasi, kukasava nomunhu anobatsira.
Ipapo vakachema kuna Jehovha panhamo yavo, Akavaponesa pamatambudziko avo.
Akavabudisa parima nomumvuri worufu, Akadamburanya zvisungo zvavo.
Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake, anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu!
Nokuti wakavhuna masuo endarira, Nokuguranya mazariro amatare.
Mapenzi anotambudzika nokuda kwokudarika kwavo, Uye nokuda kwazvakaipa zvavo.
Mweya wavo unosema zvokudya zvose; Vanoswedera pedo namasuo orufu.
Zvino vochema kuna Jehovha panhamo yavo, Iye anovaponesa pamatambudziko avo.
Anotuma shoko rake, ndokuvaporesa, Nokuvarwira pakuparadzwa kwavo.
Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu!
Ngavabayire zvibayiro zvokuvonga, Nokududzira mabasa ake nokuimba.
Avo, vanoburukira kugungwa muzvikepe, Vanoshambadzira kumvura zhinji;
Ndivo vanoona mabasa aJehovha, Nezvishamiso zvake pakadzika.
Nokuti anoraira, ndokumutsa dutu guru, Rinomutsa mafungu aro.
Vanosimudzirwa kudenga; ndokuburukirazve pakadzika; Mweya wavo unonyauka nokuda kwenhamo.
Vanondeya-ndeya nokudzengedzeka somunhu akabatwa. Vapera mano.
Zvino vochema kuna Jehovha panhamo yavo, Iye ndokuvabudisa pamatambudziko avo.
Anonyaradza dutu remhepo, Mafungu aro ndokunyarara.
Ipapo vanofara nokuti anyarara; Zvino iye ndokuvasvitsa pakadzikama pavaida kuvapo.
Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake Uye nokuda kwamabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vavanhu!.
Ngavamukudzisewo paungano yavanhu, Vamurumbidze pamakurukota avakuru.
Anoshandura nzizi dzikaita renje, Namatsime emvura aite nyika yakaoma;
Nyika, inobereka zvakanaka, ive sango rebare, Nokuda kwezvakaipa zvavanogara mairi.
Anoshandura renje riite dziva remvura, Nenyika yakaoma iite matsime emvura.
Ndipapo paanogarisa vane nzara, Kuti vamutse guta rokugaramo;
Vadzvare minda, vasime minda yemizambiringa, Vawane zvibereko zvizhinji.
Akavaropafadzawo, vakawanda kwazvo; Akasatendera zvipfuwo zvavo kutapudzwa.
Zvino vakatapudzika nokuva vashoma. Nemhaka yokumanikidzwa, nenhamo, nokuzvidya moyo.
Anodurura kuzvidza pamusoro pamachinda, Achivadzungaidza murenje musina nzira.
Kunyange zvakadaro, anogadza mushaiwi kumusoro kusina dambudziko, Achimumutsira mhuri samapoka amakwai.
Akarurama achazviona, akafara; Uye zvakaipa zvose zvichadzivirwa muromo wazvo.
Ani naani akachenjera achacherekedza zvinhu izvozvi, Vachafunga unyoro hwaJehovha. Mwari Mubatsiri wedu

108

moyo wangu wakasimba, Mwari; Ndichaimba, zvirokwazvo, ndichaimba nziyo dzokurumbidza, nomweya wangu wose.
Muka iwe mutengeranwa nembira; Ini ndimene ndichamuka mangwanani.
Ndichakuvongai Jehovha, pakati pendudzi dzavanhu; Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza pakati pavahedheni.
Nokuti ngoni dzenyu ihuru kumusoro kwokudenga-denga, Uye zvokwadi yenyu inosvikira kudenga rose.
Imi mukudzwe Mwari, kumusoro kwokudenga-denga; Kurumbidzwa kwenyu ngakuve kumusoro kwapasi pose.
Kuti vadikanwi venyu varwirwe, Tiponesei noruoko rwenyu rworudyi, mutipindure.
Mwari akataura pautsvene hwake, achiti, Ndichafara kwazvo; Ndichaganhura Shekemu, ndichayera mupata weSukoti.
Giriyadhi ndeyangu naManase ndeyangu; Efuremuwo inhaviro yomusoro wangu; Judha ndiyo tsvimbo yangu youshe.
Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambidzira; Pamusoro peEdhomu ndipo pandichakandira shangu yangu; Ndichapururudza nokuda kwaFirisitia.
Ndianiko achandiisa muguta rakakombwa namasvingo? Ndianiko achandiperekedza ndiende Edhomu?
Hamuna kutirasha here, Mwari? Hamubudi Mwari, nehondo dzedu.
Tibatsirei pamudzivisi wedu; Nokuti kubatsira kwavanhu hakuna maturo.
MunaMwari tichaita noumhare; Nokuti ndiye achatsika vadzivisi vedu pasi.

109

Regai kunyarara, Mwari wokurumbidza kwangu;
Nokuti vakandishamisira muromo wowakaipa, uye muromo unonyengedzera; Vakandireva norurimi rune nhema.
Vakandikombawo namashoko embengo, Vakarwa neni pasina mhosva.
Pakuvada kwangu vava vadzivisi vangu; Asi ini ndinonyengetera hangu.
Vakanditsivira zvakaipa pane zvakanaka, zvandakavaitira, Nembengo pakuvada kwangu.
Isai munhu akaipa ave ishe wake; Mudzivisi ngaamire paruoko rwake rworudyi.
Kana achitongwa, ngaapiwe mhosva; Munyengetero wake ngaushandurwe zvivi.
Mazuva ake ngaave mashoma; Mumwe ngaatore basa rake.
Vana vake ngavave nherera, Uye mukadzi wake ngaave chirikadzi.
Vana vake ngavave vadzungairi, navapemhi; Ngavatsvake zvokudya kure namatongo avo.
Waakadyira chikwerete ngaatore zvose zvaanazvo; Vatorwa ngavapambe zvose zvaakabatira.
Ngakushaikwe munhu anomunzwira ngoni; Ngakushaikwe munhu anetsitsi nenherera dzake.
Vana vake ngavarove; Zita ravo ngaridzimwe parudzi runotevera.
Zvakaipa zvamadzibaba ake ngazvirangarirwe naJehovha; Zvivi zvamai vake ngazvirege kudzimwa.
Ngazvirambe zviri pamberi paJehovha nguva dzose, Kuti aparadze kurangarirwa kwavo pasi.
Nemhaka yokuti haana kurangarira kunzwira ngoni, Asi wakatambudza murombo nomushaiwi, Neanomoyo wakaputsika, kuti avauraye.
Zvirokwazvo, kutuka ndizvo zvaakada, zvikauyawo kwaari; Kukomborera haana kukufarira kukagara kure naye.
Akazvifukidzawo nokutuka, zvikaita senguvo yake, Zvikapinda mukati make semvura, Samafuta mumapfupa ake.
Ngazvive kwaari sechisimiro chaanofukidza nacho, Segwarada raakazvisunga naro nguva dzose.
Uyu ndiwo mubayiro wavadzivisi vangu, unobva kuna Jehovha, Nowavanotaurira mweya wangu zvakaipa.
Asi imi Jehovha Ishe, ndiitirei zvakanaka nokuda kwezita renyu; Ngoni dzenyu zvadzakanaka, ndirwirei.
Nokuti ndiri murombo nomushaiwi, Nomoyo wangu wakakuvadzwa mukati mangu.
Ndaenda somumvuri wareba; Ndapepereswa semhashu.
Mabvi angu haachine simba nokuzvinyima zvokudya; Nyama yangu yaonda nokushaiwa mafuta.
Ndavawo chinhu chinozvidzwa navo; Kana vachindiona vanodzungudza misoro yavo.
Ndibatsirei, Jehovha, Mwari wangu; Ndiponesei nengoni dzenyu.
Kuti vazive kuti ndirwo ruoko rwenyu; Kuti imwi Jehovha, ndimwi makazviita.
Ngavatuke havo, asi imi ropafadzai; Kana vachisimuka, vachanyadziswa, asi muranda wenyu achafara kwazvo.
Vadzivisi vangu ngavafukidzwe nokunyadziswa, Ngavazvifukidze nokunyara kwavo sejasi.
Ndichavonga Jehovha kwazvo nomuromo wangu; Zvirokwazvo, ndichamurumbidza pakati pavazhinji.
Nokuti iye achamira kuruoko rworudyi rwomushaiwi, Kuti amuponese panavanotonga mweya wake.

110

Jehovha akati kuna She wangu, Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.
Jehovha achatambanudza tsvimbo yesimba rako ribude paZiyoni, achiti, Bata ushe pakati pavavengi vako.
Vanhu vako vachazviisa nomoyo wose pazuva rauchaunganidza hondo yako, Nenguva tsvene, pachizvaro chamangwanani, Ndipo pane dova rohujaya hwako.
Jehovha akapika, haangazvidembi, achiti, Iwe uri mupirisiti nokusingaperi. Unorudzi naMerikizedheki.
Ishe parudyi rwako Achaparadza madzimambo pazuva rokutsamwa kwake.
Iye achatonga pakati pavahedheni, Achazadza nyika nezvitunha; Achaparadza misoro panyika zhinji.
Achanwa parukova panzira; Saka achasimudza musoro wake.

111

Hareruya! Ndichavonga Jehovha nomoyo wangu wose, Parangano yavakarurama, napaungano.
Mabasa aJehovha makuru, Anocherechedzwa navose vanoafarira.
Basa rake rinoratidza kukudzwa noumambo; Kururama kwake kunogara nokusingaperi.
Mabasa ake, anoshamisa, wakaaita chiyeudziro; Jehovha anenyasha netsitsi.
Akapa zvokudya vanomutya; Acharangarira sungano yake nokusingaperi.
Akaratidza vanhu vake simba ramabasa ake, Zvaakavapa nhaka yavahedheni.
Mabasa amaoko ake izvokwadi nokururamisira; Mirairo yake yose yakasimba.
Yakasimbiswa nokusingaperi-peri, Yakaitwa nezvokwadi nokururama.
Akatumira vanhu vake rudzikunuro; Akaraira sungano yake nokusingaperi; Zita rake idzvene rinotyisa.
Kutya Jehovha ndiko kutanga kwouchenjeri; Vose vanozviita vanomurangariro wakanaka; Kurumbidzwa kwake kunogara nokusingaperi.

112

Hareruya! Akaropafadzwa munhu anotya Jehovha, Anofarira zvikuru mirairo yake.
Vana vake vachava nesimba pasi; Rudzi rwowakarurama rucharopafadzwa.
fuma nezvakawanda zviri mumba make; Kururama kwake kunogara nokusingaperi.
Akarurama anobudirwa nechiedza parima; Iye anenyasha, netsitsi nokururama.
Ane mufaro munhu uyo anoita nenyasha, anopa chikwerete, Acharuramisirwa mhaka yake pakutonga.
Nokuti haangatongozununguswi; Akarurama acharamba achirangarirwa nokusingaperi.
Haangatyi mashoko ezvinhu zvakaipa; moyo wake wakasimba, uchavimba naJehovha.
moyo wake wakasimbiswa, haangatyi, Kusvikira aona kukundwa kwavadzivisi vake.
Akaparadzira, akapa vashaiwi; Kururama kwake kunogara nokusingaperi; Runyanga rwake ruchakwiridzwa nokukudzwa.
Akaipa achazviona, ndokufa neshungu; Achageda-geda meno ake, ndokunyauka; Kuda kwowakaipa kuchaparara.

113

Hareruya! Rumbidzai, imi varanda vaJehovha, Rumbidzai zita raJehovha.
Zita raJehovha ngarikudzwe Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi.
Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro Zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa.
Jehovha uri kumusoro kwavahedheni vose, Nokubwinya kwake kumusoro kwokudenga-denga.
Ndianiko akafanana naJehovha Mwari wedu, Iye anogara kumusoro,
Iye anozvidukupisa kuti aone Zviri kudenga napasi?
Anosimudza murombo abve muguruva, anomumutsa abve padurunhuru;
Kuti amugarise pamwechete namachinda, Iwo machinda avanhu vake.
Anogarisa mukadzi asingabereki mumba,ave mai vanofara navana. Hareruya

114

Pakubuda kwaIsiraeri Imba yaJakobho ichibuda pakati pavanhu vakanga vanorumwe rurimi;
Judha akaitwa imba yake tsvene, Nalsiraeri ushe hwake.
Gungwa rakazviona, rikatiza; Jorodhani rwakadzokera shure.
Makomo akapembera samakondobwe, Nezvikomo samakwayana.
Unonzweiko iwe gungwa, zvaunotiza iwe? Newe Jorodhani, zvaunodzokera shure?
Nemi makomo, zvamunopembera samakondobwe; Nemi zvikomo, samakwayana?
Bvunda iwe pasi, pamberi paShe, Pamberi paMwari waJakobho;
Iye akashandura dombo, rikava dziva remvura,

115

Isu kwete, Jehovha, isu kwete, Asi zita renyu ngarikudzwe, Nokuda kwengoni dzenyu, uye nokuda kwokutendeka kwenyu.
Vahedheni vachareverei, vachiti, Ko Mwari wavo zvino uripi?
Asi Mwari wedu ari kudenga-denga; Akaita zvose zvaakada.
Zvifananidzo zvavo sirivha nendarama, Basa ramaoko avanhu.
Zvinemiromo, asi hazvitauri; nameso zvinawo, asi hazvioni;
Zvinenzeve, asi hazvinzwi; Nemhino zvinadzo, asi hazvinhuwidzi;
zvina maoko, asi hazvibati; Namakumbo zvinawo, asi hazvifambi; Hazvitauri napahuro pazvo.
Ivo vanozviita vachafanana nazvo; Zvirokwazvo, navose vanovimba nazvo.
lwe Isiraeri, vimba naJehovha; Ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo.
Iwe imba yaAroni, vimba naJehovha; Ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo.
Imi munotya Jehovha, vimbai naJehovha; Ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo.
Jehovha akatirangarira; iye achatiropafadza; Acharopafadza imba yaIsiraeri, Acharopafadza imba yaAroni.
Acharopafadza vanotya Jehovha, Vaduku navakuru vose.
Jehovha acharamba achikuwanzai, Imi navana venyu.
Imi makaropafadzwa naJehovha, Iye akaita kudenga napasi.
Kudenga-denga ndiko kudenga-denga kwaJehovha; Asi pasi akapa vanakomana vavanhu.
Vakafa havarumbidzi Jehovha, Kunyange ani naani anoburukira kwakanyarara;
Asi isu hedu tichakudza Jehovha Kubva panguva ino kusvika pakusingaperi. Hareruya!

116

Ndinoda Jehovha, nokuti anonzwa inzwi rangu nokukumbira kwangu.
Zvaakarereka nzeve yake kwandiri, Ndichadana kwaari mazuva angu ose.
Misungo yorufu yakandikomba, Kurwadziwa kweSheori kwakandibata; Ndakawana kutambudzika nokuchema.
Ipapo ndakadana zita raJehovha; Haiwa Jehovha, ndinonyengetera kuti murwire mweya wangu.
Jehovha anenyasha, akarurama; Zvirokwazvo, Mwari wedu ane tsitsi.
Jehovha anochengeta vasina mano; Ndakanga ndashaiwa simba, iye akandiponesa.
Dzokera kuzororo rako, mweya wangu; Nokuti Jehovha akakuitira zvakanaka.
Nokuti makarwira mweya wangu parufu; Nameso angu pamisodzi, Netsoka dzangu pakugumburwa.
Ndichafamba pamberi paJehovha Panyika yavapenyu.
Ndakatenda pakutaura kwangu, ndichiti, Ndakamanikidzwa kwazvo,
Ndakati pakuvhunduka kwangu, Vanhu vose vanoreva nhema.
Ndichavigireiko Jehovha Pamusoro pemikomborero yake yose kwandiri?
Ndichasimudza mukombe wokuponeswa, Ndichidana zita raJehovha.
Ndicharipira Jehovha mhiko dzangu, Ndichazviita pamberi pavanhu vake vose.
Chinhu chinokosha pamberi paJehovha, Ndirwo rufu rwavatsvene vake.
Haiwa Jehovha, zvirokwazvo ndiri muranda wenyu; Ndiri muranda wenyu, mwanakomana womurandakadzi wenyu; Makasunungura misungo yangu.
Ndichakubayirai zvibayiro zvokuvonga, Ndichidana zita raJehovha.
Ndicharipira Jehovha mhiko dzangu, Ndichazviita pamberi pavanhu vake vose;
Pavazhe dzeimba yaJehovha, Mukati mako, iwe Jerusaremu. Hareruya!

117

Rumbidzai Jehovha, imi ndudzi dzose dzavanhu, Mukudzei, imi vanhu vose.
Nokuti ngoni dzake kwatiri ihuru; Kutendeka kwaJehovha kunogara nokusingaperi. Hareruya!

118

Vongai Jehovha; nokuti wakanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Isiraeri zvino ngavati, Ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Imba yaAroni zvino ngaiti, Ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Avo vanotya Jehovha zvino ngavati, Ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Ndakadanidzira kuna Jehovha pakutambudzika kwangu, Jehovha paakandipindura, akandiisa pakafarikana.
Jehovha ari kurutivi rwangu; handingatyi; Munhu angandiiteiko?
Jehovha ari kurutivi rwangu pakati pavanondibatsira; Saka ndichaona kukundwa kwavanondivenga.
Zviri nani kutizira kuna Jehovha Pakuvimba nomunhu.
Zviri nani kutizira kuna Jehovha Pakuvimba namachinda.
Vahedheni vose vakandikomba; Ndichavaparadza nezita raJehovha.
Vakandikomba, zvirokwazvo, vakandikomba, Ndichavaparadza nezita raJehovha.
Vakandikomba senyuchi; vakadzimwa somoto weminzwa; Ndichavaparadza nezita raJehovha.
Kundisundidzira wakandisundidzira iwe kuti ndiwe; Asi Jehovha akandibatsira.
Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu; Iye akava muponesi wangu.
inzwi rokufara nerokuponeswa riri mumatende avakarurama; Ruoko rworudyi rwaJehovha runokunda.
Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakasimudzwa, Ruoko rworudyi rwaJehovha runokunda.
Handingafi, asi ndichararama, Ndichadudzira mabasa aJehovha.
Kundiranga Jehovha akandiranga; Asi haana kundiisa pakufa.
Ndizarurirei masuo okururama; Ndichapinda nawo, ndivonge Jehovha.
iri ndiro suo raJehovha; Vakarurama vachipinda naro.
Ndichakuvongai, nokuti makandipindura, Mukava muponesi wangu.
Ibwe rakaraswa navavaki Ndiro rakazova musoro wekona.
Ichi chinhu chakabva kuna Jehovha; Zvinoshamisa kana tichizviona.
Rino izuva rakaitwa naJehovha; Ngatifare kwazvo tirifarire.
Tiponesei zvino, Jehovha ndizvo zvatinonyengetera; Jehovha, tipei mufaro ndizvo zvatinonyengetera.
Akaropafadzwa iye anouya nezita raJehovha; Takaropafadzwa tiri mumba maJehovha.
Jehovha ndiye Mwari, ndiye akativhenekera; Sungirai chibayiro namabote ipo panyanga dzearitari pamene.
Imi muri Mwari wangu, ndichakuvongai; Muri Mwari wangu, ndichakukudzai.
Vongai Jehovha; nokuti akanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.

119

Vakaropafadzwa avo vane nzira yakarurama, Vanofamba mumurau waJehovha.
Vakaropafadzwa vanochengeta zvipupuriro zvake, Vanomutsvaka nomoyo wose.
Zvirokwazvo, havaiti chinhu chisina kururama, Vanofamba munzira dzake.
Makatiraira zvirevo zvenyu, Kuti tizvichengete zvakanaka.
Haiwa, dai nzira dzangu dzakagadzirirwa Kuchengeta mitemo yenyu.
Ipapo handinganyadziswi, Kana ndichirangarira mirairo yenyu yose.
Ndichakuvongai nomoyo wakarurama, Kana ndichidzidza zvamakatonga zvakarurama.
Ndichachengeta mitemo yenyu; Haiwa, regai kundirasha chose.
Jaya ringaramba richinatsa nzira yaro neiko? Kana richichenjerera sezvinoraira shoko renyu.
Ndakakutsvakai nomoyo wangu wose; Musanditendera kutsauka pamirairo yenyu.
Shoko renyu ndakariviga mumoyo wangu, Kuti ndirege kukutadzirai.
Imi munofanira kukudzwa, Jehovha; Ndidzidzisei mitemo yenyu.
Ndakadudzira nemiromo yangu Zvose zvamakatonga nomuromo wenyu.
Ndakafara kwazvo munzira yezvipupuriro zvenyu, Sezvandinofarira fuma yose.
Ndichafungisisa zvirevo zvenyu, Nokurangarira nzira dzenyu.
Ndichazvifadza nemitemo yenyu; Handingakanganwi shoko renyu.
Itirai muranda wenyu zvakanaka, kuti ndirarame; Ipapo ndichachengeta shoko renyu.
Ndisvinudzei meso angu, kuti ndione Zvinhu zvinoshamisa zviri pamurau wenyu.
Nokuti ndiri mutorwa panyika; Regai kundivanzira%mirairo yenyu.
Mweya wangu wapera nokushuva Panguva dzose zvamakatonga.
Makaraira vanozvikudza, Ngavatukwe vanotsauka pamirairo yenyu.
Bvisai kwandiri kushorwa nokuzvidzwa; Nokuti ndakachengeta zvipupuriro zvenyu.
Machindawo akagara akandireva; Asi muranda wenyu akafungisisa mitemo yenyu.
Zvipupuriro zvenyuwo zvinondifadza kwazvo, Ndizvo zvinondipa mano.
Mweya wangu unonamatira guruva; Ndiponesei neshoko renyu.
Ndakadudzira nzira dzangu, imi makandipindura; Ndidzidzisei mitemo yenyu.
Ndidzidzisei ndinzwisise nzira yezvirevo zvenyu; Ipapo ndichafungisisa mabasa enyu anoshamisa.
Mweya wangu unonyunguruka nokuremerwa; Ndisimbisei sezvinorehwa neshoko renyu.
Bvisai kwandiri nzira yenhema; Nenyasha dzenyu mundipe murau wenyu.
Ndakasanangura nzira yakatendeka; Ndakaisa zvamakatonga pamberi pangu.
Ndinonamatira zvipupuriro zvenyu; Jehovha, regai kundinyadzisa.
Ndichamhanya nenzira yemirairo yenyu, Kana munenge makurisa moyo wangu.
Ndidzidzisei, Jehovha, nzira yemitemo yenyu; Ndigoichengeta kusvikira pakuguma.
Ndipei njere, ndichengete murau wenyu; Zvirokwazvo, ndichauchengeta nomoyo wangu wose.
Ndifambisei munzira yemirairo yenyu; Nokuti ndinoifarira kwazvo.
Kweverai moyo wangu kuzvipupuriro zvenyu, Urege kukweverwa mukuchiva.
Dzorai meso angu ndirege kuona zvisina maturo, Mundiponese panzira dzenyu.
Simbisai Shoko renyu kumuranda wenyu, Rakakwanira vanokutyai.
Bvisai kushoorwa kwangu kwandinotya, Nokuti zvamakatonga zvakanaka.
Tarirai, ndakashuva zvirevo zvenyu; Ndiponesei mukururama kwenyu.
Ngoni dzenyu ngadziuyewo kwandiri, Jehovha, Iko kuponesa kwenyu, sezvinoreva shoko renyu.
Naizvozvo ndichagona kupindura anondishora; Nokuti ndinovimba neshoko renyu.
Regai kubvisa shoko rezvokwadi chose pamuromo wangu; Nokuti ndakatarira zvamakatonga.
Naizvozvo ndichasichengeta murau wenyu Nokusingaperi-peri.
Ndichasifamba ndakasununguka, Nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu.
Ndichataurawo zvipupuriro zvenyu pamberi pamadzimambo, Ndisinganyadziswi.
Ndichazvifadza kwazvo nemirairo yenyu, Yandinoda.
Ndichasimudzirawo maoko angu kumirairo yenyu, yandinoda; Ndichafungisisa mitemo yenyu.
Rangarirai shoko renyu kumuranda wenyu, Nokuti makandimutsira tariro.
Ndizvo zvinondinyaradza pakutambudzika kwangu; Nokuti shoko renyu rakandiponesa.
Vanozvikudza vakandiseka kwazvo; Kunyange zvakadaro handina kutsauka pamurau wenyu.
Ndakarangarira zvamakatonga kare-kare, Jehovha, Ndikazvinyaradza.
Kutsamwa kukuru kwakandibata, Nokuda kwavakaipa vanorasha murau wenyu.
Mitemo yenyu yaiva nziyo dzangu Mumba muutorwa hwangu.
Ndakarangarira zita renyu, Jehovha, usiku, Ndikachengeta murau wenyu.
Ndizvo zvandakanga ndinazvo, Nokuti ndakachengeta zvirevo zvenyu.
Jehovha ndiye mugove wangu; Ndakati, ndichachengeta mashoko enyu.
Ndakakumbira chiso chenyu nomoyo wangu wose; Ndinzwirei nyasha, sezvinoreva shoko renyu.
Ndakafunga nzira dzangu, Ndikadzorera tsoka dzangu kuzvipupuriro zvenyu.
Ndakakurumidza, handina kunonoka Kuchengeta mirairo yenyu.
Mabote avakaipa akandimonera; Asi handina kukanganwa murau Venyu.
Ndichamuka pakati pousiku kuti ndikuvongei Pamusoro pezvamakatonga zvakarurama.
Ndiri shamwari yavose vanokutyai, Neyavanochengeta zvirevo zvenyu.
Jehovha, pasi pazere nengoni dzenyu; Ndidzidzisei mitemo yenyu.
Makaitira muranda wenyu zvakanaka, Jehovha, sezvinoreva shoko renyu.
Ndidzidzisei ungwaru hwakanaka nenjere; Nokuti ndakatenda mirairo yenyu.
Ndakati ndichigere kutambudzika ndikarashika; Asi zvino ndinochengeta shoko renyu.
Imi makanaka, uye munoita zvakanaka; Ndidzidzisei mitemo yenyu.
Vanozvikudza vakandipomera nhema; Ndichachengeta zvirevo zvenyu nomoyo wangu wose.
moyo wavo wakakora samafuta; Asi ini ndinofarira murau wenyu kwazvo.
Zvakanga zvakanaka kuti nditambudzike; Kuti ndidzidze mitemo yenyu.
Murau womuromo wenyu wakanaka kwandiri Kukunda zviuru zvamazana zvendarama nesirivha.
Maoko enyu akandiita nokundisimbisa; Ndipei kunzwisisa, kuti ndidzidze mirairo yenyu.
Vanokutyai vachandiona ndokufara; Nokuti ndakatarira shoko renyu.
Ndinoziva, Jehovha, kuti zvamakatonga zvakarurama, Uye kuti makanditambudza nokutendeka.
Ndinokumbira kuti tsitsi dzenyu dzindinyaradze, Sezvamakareva kumuranda wenyu.
Unyoro hwenyu ngabwuuye kwandiri, kuti ndirarame; Nokuti murau wenyu ndiwo mufaro wangu mukuru.
Vanozvikudza ngavanyadziswe; nokuti vakandiitira zvakaipa ndisina mhosva; Asi ndichafungisisa zvirevo zvenyu.
Vanokutyai ngavadzokere kwandiri, Vagoziva zvipupuriro zvenyu.
moyo wangu ngaururame pamitemo yenyu; Kuti ndirege kunyadziswa.
Mweya wangu unopanga kuponesa kwenyu; Asi ndinotarira shoko renyu.
Meso angu anopera nokutsvaka shoko renyu, Ndichiti, Muchandinyaradza rinhiko?
Nokuti ndava sehombodo iri muutsi; Kunyange zvakadaro handikanganwi mitemo yenyu.
Mazuva omuranda wenyu manganiko? Muchatonga rinhiko vanonditambudza?
Vanozvikudza vakandicherera hunza, Ivo vasingateereri murau wenyu.
Mirairo yenyu yose yakatendeka; Vanonditambudza ndisina mhosva; ndibatsirei imi.
Vakanga voda kundiparadza pasi; Asi handina kusiya zvirevo zvenyu.
Ndiponesei nokuda kwounyoro hwenyu; Naizvozvo ndichachengeta chipupuriro chomuromo wenyu.
Shoko renyu rakasimba kudenga Nokusingaperi, Jehovha.
Kutendeka kwenyu kunosvika kumarudzi namarudzi; Imi makasimbisa pasi, panoramba pagere.
Zvinoramba zvigere nanhasi sezvamakatema; Nokuti zvinhu zvose varanda venyu.
Dai murau wenyu usina kuva mufaro wangu mukuru, Ndingadai ndakaparara nedambudziko rangu.
Handingatongokanganwi zvirevo zvenyu; Nokuti makandiponesa nazvo.
Ndiri wenyu, ndiponesei; Nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu.
Vakaipa vakandigarira kuti vandiparadze; Asi ndichafunga zvipupuriro zvenyu.
Ndakaona kuguma kwezvose zvakakwana, Asi murayiro wenyu mupamhi kwazvo.
Haiwa, ndinoda murau wenyu seiko! Ndicho chandinofungisisa zuva rose.
Mirairo yenyu inondiita akachenjera kupfuura vavengi vangu; Nokuti inogara neni nokusingaperi.
Ndine njere kupfuura vadzidzisi vangu vose; Nokuti zvipupuriro zvenyu ndizvo zvandinofungisisa.
Ndinonzwisisa kupfuura vakakwegura, Nokuti ndakachengeta zvirevo zvenyu.
Ndakadzora tsoka dzangu panzira dzose dzakaipa; Kuti ndichengete shoko renyu.
Handina kutsauka pane zvamatonga; Nokuti makandidzidzisa.
Mashoko enyu anonaka seiko mumukanwa mangu! Zvirokwazvo, anokunda uchi mumuromo mangu!
Pazvirevo zvenyu ndinowana njere; Saka ndinovenga nzira dzose dzenhema.
Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, Nechiedza panzira yangu.
Ndakapika, ndikazvisimbisa, Kuti ndichachengeta zvamakatonga zvakarurama.
Ndinotambudzika kwazvo; Ndiponesei, Jehovha, neshoko renyu.
Gamuchirai henyu Jehovha ndizvo zvandinokumbira zvipo zvomuromo wangu zvandinopa nomoyo wangu, Mundidzidzise zvamakatonga.
Mweya wangu unongosiva muruoko rwangu; Kunyange zvakadaro handikanganwi murau wenyu.
Vakaipa vakanditeyera musungo; Kunyange zvakadaro handina kutsauka pazvirevo zvenyu.
Zvipupuriro zvenyu ndakazviita nhaka yangu nokusingaperi; Nokuti ndizvo zvinofadza moyo wangu.
Ndakarerekera moyo wangu kuti uite mitemo yenyu, Nokusingaperi, kusvikira pakuguma.
Ndinovenga vane moyo miviri; Asi ndinoda murau wenyu.
Imi muri chivando changu nenhovo yangu; Ndinotarira shoko renyu.
Ibvai kwandiri, imi munoita zvakaipa; Kuti ndichengete mirairo yaMwari wangu.
Nditsigirei sezvinoreva shoko renyu, kuti ndirarame; Kuti ndirege kunyadziswa pakutarira kwangu.
Nditsigirei, ndichengetwe, Ndigoramba ndichirangarira mitemo yenyu.
Makazvidza vose vanotsauka pamitemo yenyu; Nokuti kunyengera kwavo inhema.
Vakaipa vose vapasi munovagumisa sefuro; Saka ndinoda zvipupuriro zvenyu.
Nyama yangu inobvunda nokukutyai; Ndinotya zvamakatonga.
Ndakaita zvakatongwa nezvakarurama; Musandiisa kuvamanikidzi vangu.
Ivai rubatso rwomuranda wenyu kuti ndiitirwe zvakanaka, Vanozvikudza ngavarege kundimanikidza.
Meso angu apera nokutsvaka kuponesa kwenyu, Neshoko renyu rakarurama.
Itirai muranda wenyu nounyoro hwenyu, Mundidzidzise mitemo yenyu.
Ndiri muranda wenyu, ndipei njere; Kuti ndizive zvipupuriro zvenyu.
Inguva yaJehovha yokubata nayo; Nokuti vakaputsa murau wenyu.
Saka ndinoda mirairo yenyu Kupfuura ndarama, zvirokwazvo, kupfuura ndarama yakaisvonaka.
Saka ndinoti, zvirevo zvenyu zvose pamusoro pezvose zvakarurama; Ndinovenga nzira dzose dzenhema.
Zvipupuriro zvenyu zvinoshamisa; Saka mweya wangu unozvichengeta.
Kuzarurwa kwamashoko enyu kunopa chiedza; Kunopa njere vasina mano.
Ndakashamisa muromo wangu kwazvo, ndikatakwaira; Nokuti ndakashuva mirairo yenyu.
Ringirirai kwandiri, mundinzwire nyasha, Sezvamunoitira vanoda zita renyu.
Simbisirai kutsika kwangu mushoko renyu; Zvakaipa ngazvirege kutongova nesimba pamusoro pangu.
Ndidzikunurei pakumanikidza kwomunhu; Naizvozvo ndichachengeta zvirevo zvenyu.
Chiso chenyu ngachivhenekere muranda wenyu; Mundidzidzise mitemo yenyu.
Nzizi dzemvura dzinoyerera pameso angu, Nokuti havachengeti murau wenyu.
Imi makarurama, Jehovha, Nezvamakatonga zvakaruramawo.
Makaraira zvipupuriro zvenyu nokururama Uye nokutendeka kukuru.
Kushingaira kwangu kwakandipedza, Nokuti vadzivisi vangu vakakangwanwa mashoko enyu.
Shoko renyu rakaisvonatswa; Saka muranda wenyu anorida.
Ndiri muduku, ndakazvidzwa; Asi handikanganwi zvirevo zvenyu.
Kururama kwenyu ndiko kururama kusingaperi, Nomurau wenyu izvokwadi.
Nhamo nokumanikidzwa zvakandibata; Asi mirairo yenyu ndiwo mufaro wangu mukuru.
Zvipupuriro zvenyu zvakarurama nokusingaperi; Ndipei njere, ndigorarama.
Ndakadana nomoyo wangu wose; ndipindurei, Jehovha; Ndichachengeta mitemo yenyu.
Ndakadana kwamuri; ndiponesei, Ndigochengeta zvipupuriro zvenyu.
Ndakatangira mambakwedza ndikadana; Ndakatarira mashoko enyu.
Meso angu akatangira nguva dzousiku, Kuti ndifungisise shoko renyu.
Inzwai inzwi rangu nokuda kwounyoro hwenyu; Ndiponesei Jehovha, sezvinoreva zvamakatonga.
Vanotevera zvakaipa voswedera pedo; Vari kure nomurau wenyu.
Imi muri pedo, Jehovha; Mirairo yenyu izvokwadi.
Kubva kare ndakaziva nezvipupuriro zvenyu Kuti makazviteya nokusingaperi.
Tarirai dambudziko rangu, mundirwire; Nokuti handikanganwi murau wenyu.
Ndireverei mhosva yangu, mundidzikunure; Ndiponesei sezvinoreva shoko renyu.
Kuponeswa kuri kure navakaipa; Nokuti havatsvaki mitemo yenyu.
Ngoni dzenyu izhinji, Jehovha; Ndiponesei sezvinoreva zvamakatonga.
Vatambudzi vangu navadzivisi vangu vazhinji; Kunyange zvakadaro handina kutsauka pazvipupuriro zvenyu.
Ndakaona vanyengedzeri, ndikavasema; Nokuti havana kuchengeta shoko renyu.
Fungai kuti ndinoda zvirevo zvenyu; Ndiponesei, Jehovha, nokuda kwounyoro hwenyu.
Unganidzo yeshoko renyu izvokwadi; Zvose zvamakatonga, zvakarurama, zvinogara nokusingaperi.
Machinda akanditambudza ndisina mhosva; Asi moyo wangu unotya shoko renyu.
Ndinofarira shoko renyu kwazvo, Somunhu awana zvizhinji zvakapambwa.
Nhema ndinodzivenga nokudzisema; Asi murau wenyu ndinouda.
Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva, Nokuda kwezvakarurama zvamakatonga.
Vanoda murau wenyu vane rugare rukuru; Hapana chinovagumbusa.
Ndakatarira kuponesa kwenyu, Jehovha, Ndikaita mirairo yenyu.
Mweya wangu wakachengeta zvipupuriro zvenyu; Ndinozvida kwazvo.
Ndakachengeta zvirevo zvenyu nezvipupuriro zvenyu; Nokuti nzira dzangu dzose dziri pamberi penyu.
Kudana kwangu ngakusvike pamberi penyu, Jehovha; Ndipei njere sezvinoreva shoko renyu.
Kukumbira kwangu ngakusvike pamberi penyu; Ndirwirei sezvinoreva shoko renyu.
Miromo yangu ngairumbidze; Nokuti munondidzidzisa mitemo yenyu.
Rurimi rwangu ngaruimbe shoko renyu; Nokuti mirairo yenyu yose yakarurama.
Ruoko rwenyu ngarundibatsire; Nokuti ndakasanangura zvirevo zvenyu.
Ndakashuva kuponesa kwenyu, Jehovha; Murau wenyu ndiwo mufaro wangu mukuru.
Mweya wangu ngaurarame, ugokurumbidzai; Nezvamakatonga ngazvindibatsire.
Ndakadzungaira segwai rakarashika; tsvakai muranda wenyu; Nokuti handikanganwi mirairo yenyu.

120

Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, Iye akandipindura.
Rwirai mweya wangu, Jehovha, pamiromo inoreva nhema, Naparurimi runonyengedzera.
Iwe uchapiweiko, chinyi chichawedzerwa kwauri, Iwe rurimi runonyengedzera?
Miseve inopinza yeanesimba, Namazimbe anopfuta omurara.
Ndine ropa rakaipa zvandiri mutorwa paMesheki, Zvandigere pamatende eKedhari!
Mweya wangu wakagara nguva refu Neanovenga rugare.
Ini ndinoda rugare; Asi kana ndichitaura, ivo vanotsvaka kurwa.

121

Ndichasimudzira meso angu kumakomo; Kubatsirwa kwangu kuchabvepiko?
Kubatsirwa kwangu kunobva kuna Jehovha, Wakaita kudenga napasi.
Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke; Muchengeti wako haangakotsiri.
Tarirai, muchengeti waIsiraeri Haangakotsiri kana kuvata.
Jehovha ndiye muchengeti wako; Jehovha ndiye mumvuri wako paruoko rwako rworudyi.
Zuva haringakubayi masikati, Nomwedzi usiku.
Jehovha achakuchengeta pazvakaipa zvose; Achachengeta mweya wako.
Jehovha achakuchengeta pakubuda kwako napakupinda kwako, Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi.

122

Ndakafara panguva yavakati kwandiri, Hendei kumba kwaJehovha.
Tsoka dzedu dzimire Pakati pamasuo ako, Jerusaremu;
Jerusaremu, iwe wakavakwa seguta rakasanganiswa zvakanaka;
Ndiko kunokwira ndudzi, ndudzi dzaJehovha, Sezvakarairwa Isiraeri, Kuti vavonge zita raJehovha.
Nokuti ndiko kwakagadzwa zvigaro zvokutonga, Zvigaro zvoushe zveimba yaDhavhidhi.
kumbirirai Jerusaremu rugare; Vanokudai, vachakomborerwa.
Rugare ngaruve mukati mamasvingo ako, Nokufarikana mukati medzimba dzako dzoushe.
Nokuda kwehama dzangu neshamwari dzangu, Ndichati zvino, Rugare ngaruve mukati mako.
Nokuda kweimba yaJehovha Mwari wedu Ndichakutsvakira zvakanaka.

123

Ndinosimudzira meso angu kwamuri, Iyemi, munogara kudenga.
Tarirai, meso avaranda sezvaanotarira ruoko rwatenzi wavo, Uye meso omurandakadzi sezvaanotarira ruoko rwatenzikadzi wake; Saizvozvo meso edu anotarira kuna Jehovha Mwari wedu, Kusvikira atinzwira nyasha.
Tinzwirei nyasha, Jehovha, tinzwirei nyasha; Nokuti tapera kwazvo nokuzvidzwa.
Mweya wedu wapera chose Nokushora kwavanogara havo zvakanaka, Uye noruzvidzo rwavanozvikudza.

124

Dai Jehovha asaiva nesu, Isiraeri ngavadaro;
Dai Jehovha asaiva nesu, Panguva yatakamukirwa navanhu;
Vangadai vakatimedza tiri vapenyu, Panguva yatakamukirwa nehasha dzavo;
Mvura zhinji ingadai yakatifukidza, Rwizi rungadai rwakapfuura napamusoro pomweya wedu.
Mvura zhinji, inozvikudza, ingadai yakapfuura napamusoro pomweya wedu.
Jehovha ngaarumbidzwe, Iye asina kutiisa kuti tiparadzwe nameno avo.
Mweya wedu wapukunyuka seshiri parugombe rwomuteyi weshiri; Rugombe rwadambuka, isu tapukunyuka.
Kubatsirwa kwedu kuri muzita raJehovha, Akaita kudenga napasi.

125

Vanovimba naJehovha Vakafanana negomo reZiyoni, risingazununguswi, asi rimire nokusingaperi.
Sokupoteredzwa kweJerusaremu namakomo, Saizvozvo Jehovha unopoteredza vanhu vake, Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi.
Nokuti tsvimbo youshe yezvakaipa haingagari panhaka yavakarurama; Kuti vakarurama varege kutambanudzira maoko avo kune zvakaipa.
Jehovha, itirai vakanaka zvakanaka, Navane moyo yakarurama.
Asi kana vari vanhu vanotsaukira kunzira dzavo dzakaminama, Jehovha achavaparadza pamwechete navaiti vezvakaipa. Isiraeri ngaave norugare!

126

Jehovha panguva yaakadzosa vatapwa veZiyoni, Isu takanga takafanana navanorota hope.
Panguva iyo muromo wedu wakanga uzere nokuseka, Norurimi rwedu nokuimba; Ipapo pakati pavahedheni vakati, Jehovha akavaitira zvinhu zvikuru;
Jehovha wakatiitira zvinhu zvikuru; Isu tinofara.
Dzosai vatapwa vedu, Jehovha, sehove panyika yeNyasi.
Vanodzvara nemisodzi vachakohwa nomufaro.
Anofamba-famba, achichema, akatakura tsama yembeu, achadzoka nomufaro akatakura zvisote zvake.

127

Kana Jehovha asingavaki imba, Vavaki vayo vanobata pasina; Kana Jehovha asingachengeti guta, Murindi anorindira pasina.
Hazvina maturo kuti mumuke mangwanani nokunonoka kundovata, Nokudya zvokudya zvamakatamburira; Nokuti anopa vadikanwi vake izvozvo vavete.
Tarirai, vana inhaka inobva kuna Jehovha; Chibereko chechizvaro ndiwo mubayiro waanopa.
Semiseve muruoko rwemhare, Ndizvo zvakaita vana voujaya.
Unomufaro iye murume anegoba rizere navo; Havanganyadziswi, Kana vachitaurirana navavengi vavo pasuo.

128

Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha, Vanofamba munzira dzake.
Nokuti iwe uchadya zvawakabatira namaoko ako; Uchava nomufaro, uye zvichava zvakanaka newe.
Mukadzi wako uchava somuzambiringa, unobereka zvakanaka, mukati meimba yako; Vana vako vachava semiti yemiorivhi, vakakomberedza tafura yako.
Tarirai, murume anotya Jehovha Acharopafadzwa saizvozvo.
Jehovha achakuropafadza ari paZiyoni; Uchaona kukomborerwa kweJerusaremu mazuva ose oupenyu hwako.
Zvirokwazvo, uchaona vana vavana vako. Isiraeri ngaave norugare.

129

Vakanditambudza kazhinji kubva pauduku hwangu, Isiraeri ngaadaro zvino;
Vakanditambudza kazhinji kubva pauduku hwangu; Kunyange zvakadaro havana kundikunda.
Varimi vakarima pamusana wangu; Vakaita mihoronga yavo mirefu.
Jehovha akarurama; Akaguranya mabote avakaipa.
Ngavanyadziswe, vadzoserwe shure, Ivo vose vanovenga Ziyoni.
Ngavave souswa pamatenga eimba, Hunooma husati hwakura;
Mucheki haazadzi ruoko rwake nahwo, Uye anosunga zvisote, fungatwa rake.
Navanopfuura havangati, Jehovha ngaakuropafadzei; Tinokuropafadzai nezita raJehovha.

130

Ndakadanidzira kwamuri, Jehovha, ndiri makadzika.
Ishe inzwai inzwi rangu; Nzeve dzenyu ngadziteerere inzwi rokukumbira kwangu.
Dai imi Jehovha, mairangarira zvisakarurama, Ndianiko airamba amire, Ishe?
Asi kukanganwirwa kuriko kwamuri, Kuti vanhu vakutyei.
Ndinorindira Jehovha, mweya wangu unorindira; Ndinotarira shoko rake.
Mweya wangu unorindira Ishe, Kupfuura varindi vanorindira rungwanani; Zvirokwazvo, kupfuura varindi vanorindira rungwanani.
Imi Isiraeri, tarirai kuna Jehovha; .Sokuti kuna Jehovha kune ngoni, Uye kwaari kunokudzikunurwa kukuru.
Iye achadzikunura Isiraeri Panezvisakarurama zvake zvose.

131

Jehovha, moyo wangu hauzvikudzi, meso angu haana manyawi; Handine hanya nezvinhu zvikuru-kuru, Kana nezvinhu zvinondikurira.
Zvirokwazvo ndakavaraidza mweya wangu nokuunyaradza; Somwana wakarumurwa ari pana mai vake, Mweya wangu wakaita kwandiri somwana akarumurwa.
Imi Isiraeri, tarirai kuna Jehovha Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi.

132

Jehovha, rangarirai Dhavhidhi Nedambudziko rake rose;
Namapikiro ake kuna Jehovha, Nokupika kuna Wamasimba waJakobho, achiti,
Zvirokwazvo handingapindi mutende reimba yangu, Kana kukwira pamubhedha wandakawadzirwa;
Handingatenderi meso angu kuvata, Kana mafungiro angu kukotsira;
Kusvikira ndawanira Jehovha nzvimbo, Netabhenakeri dzaWamasimba waJakobho.
Tarirai, takazvinzwa muEfurata; Takazviwana pasango reJaari.
Tichapinda mutabhenakeri dzake; Tichanamata pachitsiko chetsoka dzake.
Simukai Jehovha, mupinde pamungazorora; Imi, neareka yesimba renyu.
Vapiristi venyu ngavafukidzwe nokururama; Uye vatsvene venyu ngavapururudze nomufaro .
Nokuda kwaDhavhidhi muranda wenyu Regai kuramba chiso chomuzodziwa wenyu.
Jehovha akapika kuna Dhavhidhi; Haangashanduki pazviri, achiti, Zvibereko zvomuviri wako ndizvo zvandichaisa pachigaro chako choushe.
Kana vana vako vachichengeta sungano yangu Nezvipupuriro zvangu zvandichavadzidzisa, Navana vavowo vachagara pachigaro chako choushe nokusingaperi.
Nokuti Jehovha wakasanangura Ziyoni; Akarida kuti huve ugaro hwake.
Pano ndipo pandinozorora nokusingaperi; Ndichagara pano; nokuti ndakapada.
Ndicharopafadza zvokudya zvaro kwazvo; Ndichagutisa varombo varo nezvokudya.
Vapirisiti varo ndichavafukidzawo noruponeso; Vatsvene varo vachapururudza nomufaro.
Ipapo ndichameresera Dhavhidhi runyanga; Ndakagadzirira muzodzwa wangu mwenje.
Vavengi vake ndichavafukidza nokunyadziswa; Asi korona yake ichapenya pamusoro pake.

133

Tarirai, kunaka kwazvo nokufadza kwazvo Kana hama dzichigara pamwechete norugare.
Zvakafanana namafuta anokosha ari pamusoro, Anoyerera pandebvu, Idzo ndebvu dzaAroni; Anoburukira kusvikira pamipendero yenguvo dzake;
Zvakafanana nedova reHerimoni, Rinoburukira pamakomo eZiyoni; Nokuti ndipo Jehovha paakaraira kuropafadza kwake, Ndihwo upenyu husingaperi.

134

Tarirai, rumbidzai Jehovha, imi varanda vose vaJehovha, Imi munomira usiku mumba maJehovha.
Simudzirai maoko enyu kunzvimbo tsvene, Murumbidze Jehovha.
Jehovha ngaakuropafadze ari paZiyoni; Iye akasika kudenga napasi.

135

Hareruya! Rumbidzai zita raJehovha; Murumbidzei, imi varanda vaJehovha;
Imi mumire mumba maJehovha, Muvazhe dzeimba yaMwari wedu.
Rumbidzai Jehovha; nokuti Jehovha akanaka; Imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza; nokuti ndizvo zvinofadza.
Nokuti Jehovha akazvisanangurira Jakobho, NaIsiraeri kuti ave fuma yake chaiyo.
Nokuti ndinoziva kuti Jehovha . mukuru, Uye kuti Ishe wedu ari kumusoro kwavamwari vose.
Zvose zvaakada kuita Jehovha akazviita, Kudenga napasi, nomumakungwa napakadzika pose.
Anokwidza makore pamigumo yapasi; Anoita mheni kuuyisa mvura; Anobudisa mhepo panovigwa fuma yake.
Ndiye akaparadza matangwe Avanhu neezvipfuwo.
Akatuma zviratidzo nezvishamiso mukati mako, iwe Ijipiti, Pamusoro paFarao napamusoro pavaranda vake vose.
Ndiye akaparadza ndudzi zhinji, Nokuuraya madzimambo anesimba.
Sihoni mambo wavaAmori, NaOgi mambo weBhashani, Noushe hwose hweKanani;
Akapa nyika yavo ive nhaka, Ive nhaka yaIsiraeri vanhu vake.
Zita renyu, Jehovha, riripo nokusingaperi; Munorangarirwa Jehovha, kusvikira kumarudzi namarudzi.
Nokuti Jehovha achatonga vanhu vake, Nokuzvidemba pamusoro pavaranda vake.
Zvifananidzo zvavahedheni isirivha nendarama, Mubato wamaoko avanhu.
Zvinemiromo, asi hazvitauri; Nameso zvinawo, asi hazvioni;
Zvinenzeve, asi hazvinzwi; Hakuna kufema pamiromo yazvo.
Vanozviita vachafanana nazvo; Zvirokwazvo, navose vanovimba nazvo.
Imi veimba yalsiraeri, rumbidzai Jehovha; Imi veimba yaAroni, rumbidzai Jehovha;
Imi veimba yaRevhi, rumbidzai Jehovha; Imi vanotya Jehovha, rumbidzai Jehovha.
Jehovha ngaarumbidzwe paZiyoni, Iye agere Jerusaremu. Hareruya!

136

Vongai Jehovha, nokuti akanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Vongai Mwari wavamwari; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Vongai Ishe wamadzishe; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Iye oga, anoita zvishamiso zvikuru; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Iye, akaita kudenga-denga nenjere dzake; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Iye akatatamura pasi pamusoro pemvura zhinji; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Iye akaita zviedza zvikuru; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Zuva, kuti ribate ushe masikati; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Mwedzi nenyeredzi, kuti zvibate ushe usiku; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Iye, akarova veIjipiti pamatangwe avo; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Akabudisa Isiraeri pakati pavo; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Nechanza chine simba, uye noruoko rwakatambanudzwa; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Iye akaparadzanisa Gungwa Dzvuku napakati; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Akayambusa Isiraeri nomukati maro; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Akawisira Farao nehondo yake muGungwa Dzvuku; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Iye, akaperekedza vanhu vake murenje; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Iye, akaparadza madzimambo makuru; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Akauraya madzimambo akakurumbira; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Sihoni mambo wavaAmori; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
NaOgi mambo weBhashani; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Akapa nyika yavo ive nhaka; ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Ive nhaka yaIsiraeri muranda wake; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Iye, akatirangarira paurombo hwedu; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;
Akatirwira pavadzivisi vedu; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Ndiye anopa zvinhu zvose zvokudya zvazvo; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Vongai Mwari wokudenga; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.

137

Panzizi dzeBhabhironi, Ndipo patakagara pasi, zvirokwazvo tikachema, Pakurangarira kwedu Ziyoni.
Pamikonachando mukati madzo Takaturika mbira dzedu.
Nokuti ipapo avo vakatitapa vakakumbira kwatiri mashoko orwiyo, Vakatiparadza vakakumbira mufaro, vachiti, Tiimbireiwo rwiyo rweZiyoni.
Tingaimba seiko rwiyo rwaJehovha Munyika yavatorwa?
Kana ndikakukanganwa, iwe Jerusaremu, Ruoko rwangu rworudyi ngarukanganwe umhizha hwarwo.
Rurimi rwangu ngarunamatire kumatadzo angu, Kana ndikarega kukurangarira; Kana ndisingati Jerusaremu Ndiwo mufaro wangu mukuru unopfuura zvose.
Rangarirai Jehovha, murove vana vaEdhomu Pamusoro pezuva reJerusaremu; Ivo, vakati, Paradzai, paradzai, Kusvikira panheyo dzaro.
Iwe mukunda weBhabhironi, iwe unobva woparadzwa; Munhu uyo achava nomufaro, achakutsivira Sezvawakatiitira iwe.
Munhu uyo achava nomufaro, achatora pwere dzako Nokudzirovera padombo.

138

Ndichakuvongai nomoyo wangu wose; Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza pamberi pavamwari.
Ndichanamata ndakatarira kutemberi yenyu tsvene, Nokuvonga zita renyu nokuda kwounyoro hwenyu nokutendeka kwenyu; Nokuti makakurisa shoko renyu kupfuura zita renyu rose.
Pazuva randakadana makandipindura, Makandisimbisa nesimba pamweya wangu.
Madzimambo ose enyika achakuvongai, Jehovha, Nokuti vakanzwa mashoko omuromo wenyu.
Zvirokwazvo, vachaimba vachireva nzira dzaJehovha; Nokuti kubwinya kwaJehovha kukuru.
Nokuti Jehovha ari kumusoro, kunyange zvakadaro ane hanya neanozvininipisa; Asi anamanyawi Jehovha anomuziva ari kure.
Kana ndichifamba pakati penhamo, imi muchandiponesa; Muchatambanudza ruoko rwenyu kudzivisa kutsamwa kwavavengi vangu, Ruoko rwenyu rworudyi ruchandiponesa.
Jehovha achandikwanisira zvinhu zvangu; Ngoni dzenyu, Jehovha, dzinogara nokusingaperi; Musarega mabasa amaoko enyu.

139

Jehovha, imi makandinzvera, nokundiziva.
Munoziva kugara kwangu pasi nokusimuka kwangu, Munonzwisisa kufunga kwangu muri kure.
Munocherekedza kufamba kwangu nokuvata kwangu pasi, Munoziva nzira dzangu dzose.
Nokuti shoko risati ravapo parurimi rwangu, Tarirai, imi Jehovha, matoriziva rose.
Makandikomberedza shure kwangu nemberi, Nokuisa ruoko rwenyu pamusoro pangu.
Kuziva kwakadai kunondishamisa kwazvo; Zviri kumusoro, handigoni kusvikira kwazviri.
Ndingaendepiko ndibve pamweya wenyu? Kana ndingatizirepiko ndibve pamberi penyu?
Kana ndingakwira kudenga muripo; Kana ndikazviwarira nhovo paSheori, tarirai muripowo.
Kana ndikabhururuka namapapiro amangwanani, Ndikandogara pamigumo yegungwa;
Naipapowo ruoko rwenyu ruchandifambisa, Ruoko rwenyu rworudyi ruchandifambisa,
Kana ndikati, Zvirokwazvo, rima richandifukidza, Chiedza chinondikomberedza chichava sousiku;
Kunyange rima haringandivanzi kwamuri, Asi usiku hunopenya samasikati; Rima nechiedza zvakafanana.
Nokuti imi makaumba itsvo dzangu; Makandiruka mudumbu ramai vangu.
Ndichakuvongai; nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa unoshamisa; Mabasa enyu anoshamisa; Mweya wangu unozviziva kwazvo.
Mapfupa angu akanga asina kuvanzwa kwamuri, Panguva yandakaitwa pakavanda, Pakuumbwa kwangu nenjere panzvimbo dzezasi dzapasi.
Meso enyu akaona muviri wangu uchigere kukwaniswa,Zvose zvakanga zvakanyorwa murugwaro rwenyu,zuva rimwe nerimwe rokuumbwa kwazvo, Kusati kwava nechimwe chazvo.
Mirangariro yenyu, Mwari, inodikanwa sei neni! Yakakura sei pakuverengwa kwayo!
Kana ndikaiverenga, ingapfuura jecha pakuwanda; Kana ndichipepuka, ndichinemi.
Dai muchiuraya henyu vakaipa, Mwari; Naizvozvo ibvai kwandiri, imi vanhu veropa.
Nokuti vanokutaurirai zvakaipa, Vavengi venyu vanoreva zita renyu pasina.
Ko ini handivengi avo vanokuvengai here, Jehovha? Handine shungu here navanokumukirai?
Ndinovavenga nembengo huru; Vava vavengi vangu.
Ndinzverei, Mwari, muzive moyo wangu; Ndiidzei, muzive ndangariro dzangu;
Mutarire kana panenzira yakaipa mandiri, Mundifambise munzira isingaperi.

140

Ndirwirei Jehovha pamunhu wakaipa, Ndichengetei pamunhu anehasha;
Ivo, vanofunga zvakaipa mumoyo yavo; Vanogara vachimutsa kurwa.
Vakarodza rurimi rwavo senyoka; Uturu hwechiva huri pasi pemiromo yavo.
Ndichengetei, Jehovha, pamaoko owakaipa; Ndichengetei pamunhu anomanikidza; Vanofunga mano okugumburisa tsoka dzangu.
Vanozvikudza vakandivanzira musungo namabote; Vakadzika mumbure parutivi rwenzira, Vakanditeyera rugombe.
Ndakati kuna Jehovha, Mwari wangu; Teererai, Jehovha, munzwe inzwi rokukumbira kwangu.
Mwari Ishe, ndimi simba rokuponeswa kwangu, Makafukidza musoro wangu pazuva rokurwa.
Jehovha, regai kupa wakaipa zvaanotsvaka; Musapfuudza zano rake rakaipa; kuti varege kuzvikudza.
Kana uri musoro wavanondikomba, Zvakashata zvemiromo yavo imene ngazvivafukidze.
Mazimbe omoto, anopfuta, ngaawire pamusoro pavo; Ngavakandirwe mumoto; Nomumakomba akadzika, kuti varege kumukazve.
Munhu, anamakuhwa, haangasimbiswi pasi; Zvakaipa zvichavhima munhu anomanikidza kuti zvimuparadze.
Ndinoziva kuti Jehovha achagadzira mhosva yavanotambudzika, Nokururamisira vashaiwi.
Zvirokwazvo, vakarurama vachavonga zita renyu; Vanemoyo yakarurama vachagara pamberi penyu.

141

Jehovha, ndakadana kwamuri; kurumidzai kuuya kwandiri; Teererai inzwi rangu kana ndichidana kwamuri.
Munyengetero wangu ngauve pamberi penyu sezvinonhuwira; Nokusimudzwa kwamaoko angu sechipiriso chamadekwana.
Jehovha, isai murindi pamberi pomuromo wangu; Chengetai mukova wemiromo yangu.
Regai kurerekesa moyo wangu kuchinhu chakaipa, Kuti ndiite zvakaipa Pamwechete navanhu vanoita zvisina kururama.
Akarurama ngaandirove netsitsi; Ngaandituke, ave mafuta pamusoro wangu; Musoro wangu haungaarambi; Nokuti ndicharamba ndichinyengetera pamusoro pokuipa kwavo.
Vatongi vavo vakawisirwa kumawere edombo; Vachanzwa kuti mashoko angu akanaka.
Sezvakaita pasi kana parimwa nokuparurwa, Saizvozvo mapfupa edu akaparadzirwa pamuromo weSheori.
Nokuti meso angu anotarira kwamuri, Jehovha Ishe; Ndinovimba nemi; regai kudurura upenyu hwangu.
Ndichengetei pamusungo wavakanditeyera, Naparugombe rwavanoita zvisina kururama.
Vakaipa ngavabatwe nemimbure yavo vamene, Asi ini ndidarike hangu.

142

Ndinodanidzira nenzwi rangu kuna Jehovha; Nenzwi rangu ndinonyengetera kuna Jehovha.
Ndinodurura kuchema kwangu pamberi pake; Ndinomuzivisa kutambudzika kwangu.
Panguva yokumanikidzwa kwomweya wangu mukati mangu, makaziva nzira yangu. Panzira yandinofamba nayo vakandivanzira musungo.
Tarirai kurudyi rwangu, muone; nokuti hakuna munhu anondiziva; Ndashaiwa utiziro; hakuna munhu ane hanya nomweya wangu.
Ndakadanidzira kwamuri, Jehovha; Ndakati, Ndimi utiziro hwangu, Nomugove wangu panyika yavapenyu.
Teererai kudanidzira kwangu; nokuti ndinoshaiwa simba kwazvo; Ndirwirei panavanonditambudza; nokuti vanondikurira nesimba.
Budisai mweya wangu patorongo, kuti ndivonge zita renyu; Vakarurama vachandipoteredza; Nokuti muchandiitira zvakanaka kwazvo.

143

Inzwai munyengetero wangu, Jehovha; teererai kukumbira kwangu; Ndipindurei nokutendeka kwenyu nokururama kwenyu.
Regai kutonga muranda wenyu; Nokuti hapana munhu mumwe mupenyu angaruramiswa pamberi penyu.
Nokuti muvengi akatambudza mweya wangu; Akatsikirira upenyu hwangu pasi; Akandigarisa panzvimbo dzine rima, savanhu vakanguva vafa.
Saka mweya wangu wavhunduswa mukati mangu. moyo wangu wavhunduswa mukati mangu.
Ndinorangarira mazuva akare; Ndinofungisisa zvose zvamakaita; Ndinofunga basa ramaoko enyu.
Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri; Mweya wangu unokushuvai senyika yakaomerwa.
Kurumidzai kupindura, Jehovha; mweya wangu waziya; Regai kundivanzira chiso chenyu; Ndigosava savanoburukira kugomba.
Ndinzwisei unyoro hwenyu mangwanani; Nokuti ndinovimba nemi; Ndizivisei nzira yandinofanira kufamba nayo; Nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri.
Ndirwirei Jehovha, panavavengi vangu; Ndinovanda nemi.
Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu; nokuti ndimi Mwari wangu; Mweya wenyu, wakanaka ngaundifambise munyika yakati chechetere,
Ndiponesei Jehovha, nokuda kwezita renyu; Budisai mweya wangu pakumanikidzwa nokururama kwenyu.
Pedzai vavengi vangu nounyoro hwenyu, Muparadze vose vanomanikidza mweya wangu; Nokuti ndiri muranda wenyu.

144

Ngaarumbidzwe Jehovha, dombo rangu, Anodzidzisa maoko angu kurwa, Neminwe yangu kufura;
Unyoro hwangu, nenhare yangu, Shongwe yangu yakakwirira, nomurwiri wangu; nhovo yangu, uye iye wandinovimba naye; Anoisa vanhu vangu pasi pangu.
Jehovha, munhu chinyiko, zvamune hanya naye? Kana Mwanakomana womunhu, zvamunomurangarira?
Munhu akafanana nomweya; Mazuva ake anenge mumvuri unopfuura.
Kotamisa kudenga-denga kwenyu Jehovha, muburuke; Gunzvai makomo, apfungaire hutsi.
Penyesai mheni, muvaparadze; Furai miseve yenyu, muvavhunduse.
Tambanudzai ruoko rwenyu muri kumusoro; Ndisunungurei, mundirwire pamvura zhinji, Naparuoko rwavatorwa;
Avo vanotaura zvisina maturo nomuromo wavo, Uye ruoko rwavo rworudyi ndirwo ruoko rworudyi rwenhema.
Mwari ndichakuimbirai rwiyo rutsva; Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza nomutengeranwa une ungiso dzine gumi.
Ndimi munopa madzimambo kuponeswa, Munorwira Dhavhidhi muranda wenyu pamunondo unokuvadza.
Ndisunungurei, mundirwire paruoko rwavatorwa, Vanotaura zvisina maturo nomuromo wavo, Uye ruoko rwavo rworudyi ndirwo ruoko rworudyi rwenhema.
Vanakomana vedu vachava semiti yakakura kwazvo pautsva hwayo; Uye vanasikana vedu samabwe ekona akavezwa sezvinovezerwa imba yamambo;
Matura edu achazara nezviyo zvamarudzi ose; Namakwai edu achabereka zviuru negumi rezviuru kumafuro edu.
Nzombe dzedu dzichatakudzwa zvizhinji; Hatingaputsirwi madziro, kana kubuda kundorwa, Hakungavi nemhere inoridzwa panzira dzomumusha medu;
Vanomufaro vanhu avo, vanoitirwa saizvozvo; Vanomufaro vanhu avo, Mwari wavo ari Jehovha.

145

Ndichakukudzai kwazvo, Mwari wangu, imi Mambo; Ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi-peri.
Ndichakurumbidzai zuva rimwe nerimwe; Ndichakudza zita renyu nokusingaperi-peri.
Jehovha mukuru, anofanira kurumbidzwa kwazvo; Ukuru hwake haunganzverwi.
Rudzi rumwe rucharumbidza mabasa enyu kuno rumwe, Vachadudzira zvamakaita zvine simba.
Ndichafungisisa kubwinya kwoumambo hwenyu hunokudzwa, Namabasa enyu anoshamisa.
Vanhu vachataura vachireva simba ramabasa enyu anotyisa; Neni ndichadudzira ukuru hwenyu.
Vachareva vachiyeudzira kunaka kwenyu kukuru, Nokuimbira kururama kwenyu.
Jehovha anenyasha, azere netsitsi, Haachimbidziki kutsamwa, anengoni zhinji.
Jehovha anomoyo wakanaka kuna vose; Ngoni dzake dziri pamabasa ake ose.
Mabasa enyu ose achakuvongai Jehovha; Navatsvene venyu vachakurumbidzai.
Vachataura vachireva kubwinya kwoushe hwenyu, Nokuparidza simba renyu;
Kuti vazivise vanakomana vavanhu mabasa ake anesimba, Nokubwinya kwoumambo hwoushe hwake.
Ushe hwenyu ndihwo ushe husingaperi, Noumambo hwenyu huchagara nokusingaperi.
Jehovha anotsigira vose vanowa, Anosimudza vose vakakotamiswa pasi.
Meso avose anotarira kwamuri; Munovapa zvokudya zvavo panguva yakafanira.
Munotadzanura ruoko rwenyu, Ndokugutisa zvipenyu zvose.
Jehovha akarurama panzira dzake dzose, Anenyasha pazvose zvaanoita.
Jehovha ari pedo navose vanodana kwaari, Vose vanodana kwaari nezvokwadi.
Achaitira vanomutya sezvavanoda; Achanzwawo kudanidzira kwavo; ndokuvaponesa.
Jehovha anochengeta vose vanomuda Asi vakaipa achavaparadza vose.
Muromo wangu uchataura kurumbidzwa kwaJehovha, Vanhu vose ngavarumbidze zita rake dzvene nokusingaperi-peri.

146

Hareruya! Rumbidzai Jehovha, iwe mweya wangu!
Ndicharumbidza Jehovha ndichiri mupenyu; Ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza, ini ndichiripo.
Regai kuvimba namachinda, Kana noMwanakomana womunhu, asingagoni kubatsira.
Mweya wake unobuda, iye ndokudzokera pasi pake; Nezuva iro mano ake anopera.
Anomufaro munhu uyo kana Mwari waJakobho ari mubatsiri wake, Anotarira kuna Jehovha Mwari wake.
Iye, akaita kudenga napasi, Negungwa, nezvose zviri mukati mazvo; Iye, anoramba akatendeka nokusingaperi;
Anoruramisira vanomanikidzwa; Anopa vane nzara zvokudya; Jehovha anosunungura vasungwa;
Jehovha anosvinudza meso amapofu; Jehovha anosimudza vakakotamiswa pasi; Jehovha anoda vakarurama;
Jehovha anochengeta vatorwa; Jehovha anotsigira nherera nechirikadzi; Asi nzira yavakaipa anoipesanisa.
Jehovha achabata ushe nokusingaperi, Mwari wako, iwe Ziyoni, kusvikira kumarudzi namarudzi. Hareruya!

147

Hareruya. Nokuti zvakanaka kuti Mwari wedu aimbirwe nziyo dzokurumbidza; Zvinofadza, uye kurumbidza kwakafanira.
Jehovha anovaka Jerusaremu; Anounganidza vakadzingwa vaIsiraeri.
Anoporesa vane moyo yakaputsika, Anosunga mavanga avo.
Anotara kuwanda kwenyeredzi; Anodzipa dzose mazita adzo.
Ishe wedu mukuru, anesimba guru; Njere dzake hadziperi.
Jehovha anobatsira vanyoro;
Imbirai Jehovha muchimuvonga, Imbirai Mwari wedu nziyo dzokurumbidza nembira;
Iye anofukidza denga namakore, Anogadzirira pasi mvura, Anomeresa uswa pamakomo.
Anopa zvipfuwo zvokudya zvazvo, Navana vamakunguvo, anochema.
Haafadzwi nesimba rebhiza; Haafariri makumbo omurume.
Jehovha anofara navanomutya, Navanotarira ngoni dzake.
Rumbidza Jehovha, iwe Jerusaremu; Rumbidza Mwari wako, iwe Ziyoni.
Nokuti wakasimbisa mazariro amasuo ako; Akaropafadza vana vako mukati mako.
Anoisa rugare panyika yako; Anokugutisa nezviyo zvakaisvonaka.
Anotuma mirairo yake panyika; Shoko rake rinomhanya kwazvo.
Anopa vanhu chando samakushe amakwai, Anoparadzira chando samadota.
Anokanda chimvuramabwe chake sezvimedu; Ndianiko angamira pachando chake?
Anotuma shoko rake, ndokuzvinyausa; Anovhuvhutisa mhepo yake mvura ndokuyerera.
Anozivisa Jakobho shoko rake, Nalsiraeri mitemo yake nezvaakatonga.
Haana kutongoitira rumwe rudzi saizvozvo; Kana zviri zvaakatonga, havana kuzviziva. Hareruya!

148

Hareruya! Rumbidzai Jehovha, imi muri kudenga; Murumbidzei panzvimbo dzokumusoro.
Murumbidzei imi vatumwa vake vose; Murumbidzei imi hondo dzake dzose.
Murumbidzei imi zuva Murumbidzei imi nyeredzi dzose dzinovhenekera.
Murumbidzei imi kudenga kwokudenga-denga, Newe mvura zhinji, iri kumusoro kwokudenga-denga.
Ngazvirumbidze zita raJehovha; Nokuti iye akaraira, zvikasikwa.
Akazvisimbisawo nokusingaperi-peri; Akatema chirevo chisingafaniri kudarikwa.
Rumbidzai Jehovha imi vapasi, Imi zvikara zvegungwa, nezviri makadzika;
Moto nechimvuramabwe, chando noutsi; Dutu guru, rinoita zvaakareva;
Makomo nezvikomo zvose; Miti inobereka nemisidhari yose;
Mhuka, nezvipfuwo zvose; Zvinokambaira neshiri dzinobhururuka;
Madzimambo apasi nendudzi dzose dzavanhu; Machinda navatongi vose vapasi;
Majaya nemhandara; Vatana navana;
Ngavarumbidze zita raJehovha; Nokuti zita rake roga rakakurumbira; Umambo hwake huri kumusoro kwapasi nokudenga.
Akasimudza runyanga rwavanhu vake, Kuti arumbidzwe navatsvene vake vose; Naivo vana vaIsiraeri, ivo vanhu vari pedo naye. Hareruya!

149

Hareruya! Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, Nokurumbidzwa kwake paungano yavatsvene.
Isiraeri ngaafarire kwazvo musiki wake; Vana veZiyoni ngavave nomufaro naMambo wavo.
Ngavarumbidze zita rake vachimutambira; Ngavamuimbire nziyo dzokurumbidza nengoma nembira.
Nokuti Jehovha anofarira vanhu vake; Achashongedza vanyoro noruponeso;
Vatsvene ngavafare kwazvo nokukudziwa; Ngavaimbe nomufaro panhovo dzavo.
Kurumbidza kukuru kwaMwari ngakuve pahuro dzavo, Nomunondo unocheka kwose paruoko rwavo;
Kuti vatsive vahedheni; Varange ndudzi dzavanhu;
Kuti vasunge madzimambo avo neketani, Navakuru vavo nezvisungo zvamatare.
Kuti vavaitire zvavakatongerwa zvakanyorwa; Vatsvene vake vose vachakudzwa naizvozvi. Hareruya!

150

Hareruya! Rumbidzai Jehovha panzvimbo yake tsvene; Murumbidzei mudenga rakaitwa nesimba rake,
Murumbidzei nokuda kwezvaakaita nesimba rake; Murumbidzei zvakafanira ukuru-kuru hwake.
Murumbidzei nemitengeranwa nembira.
Murumbidzei nengoma nokutamba; Murumbidzei nohudimbwa nenyere.
Murumbidzei namakandira anorira kwazvo; Murumbidzei namakandira anorira zvakanaka.
Zvinhu zvose zvinofema, ngazvirumbidze Jehovha. Hareruya!

License
CC-0
Link to license

Citation Suggestion for this Edition
TextGrid Repository (2025). Christos Christodoulopoulos. Psalms (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C58B-D