1

Kwakanga kuno munhu panyika yeUzi, ainzi Jobho; munhu uyu akanga akakwana, akarurama, aitya Mwari achinzvenga zvakaipa
Iye wakaberekerwa vanakomana vanomwe navakunda vatatu.
Uye fuma yake yakasvika makwai ane zviuru zvinomwe, nemakamera zviuru zvitatu, nemombe dzakaringana majoko ana mazana mashanu, namakadzi embongoro ana mazana mashanu, navanhu vazhinji paimba yake; naizvozvo munhu uyu akanga ari mukuru pakati pavana vamabvazuva.
Vanakomana vake vaisienda kundoita mutambo paimba yomumwe nomumwe wavo pazuva rake; vaituma kundodana hanzvadzi dzavo nhatu kuzodya nokunwa navo.
Zvino kana mazuva okutamba kwavo apera Jobho aituma nhume kuvadana vanatswe, zvino iye ndokumuka mangwanani, ndokupisa zvipiriso zvinopiswa zvaivaringanira vose; nokuti Jobho wakati, Zvimwe vanakomana vangu vakatadza, vakashora Mwari pamoyo yavo; Jobho aisidaro nguva dzose. Satani anotenderwa kuedza Jobho
Zvino rimwe zuva vanakomana vaMwari vakati vachindomira pamberi paJehovha, Satani akasvikawo pakati pavo.
Jehovha akati kuna Satani, Wabvepiko? Satani akapindura Jehovha, akati, Ndabva pakupota-pota nenyika, napakufamba-famba pairi.
Jehovha akati kuna Satani, Wacherekedza muranda wangu Jobho here? Nokuti hakuna munhu akafanana naye panyika, munhu akakwana, akarurama, anotya Mwari, achinzvenga zvakaipa.
Ipapo Satani akapindura Jehovha, akati, Jobho anotya Mwari pasina here?
Hamuna kumupoteredza here norumhanda, iye neimba yake, nezvose zvaanazvo, pamativi ose? Makaropafadza mabasa amaoko ake, uye fuma yake yakawanda panyika.
Asi tambanudzai henyu ruoko rwenyu, zvino, murove zvose zvaanazvo, ipapo iye achakushorai pachena.
Jehovha akati kuna Satani, Tarira, zvose zvaanazvo zviri paruoko rwako; asi usatambanudzira ruoko rwako kwaari. Naizvozvo Satani akabva pamberi paJehovha.
Zvino rimwe zuva vanakomana vake navanasikana vake vakati vachidya nokunwa waini paimba yomukuru wavo,
nhume ikasvika kuna Jobho, ikati, Mombe dzakanga dzichirima, nembongoro dzichichera kurutivi rwadzo,
vaSabea vakadziwira, ndokudzitora, navafudziwo vakavauraya neminondo inopinza; ini ndoga ndakapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.
Iye akati achitaura, mumwe akasvikawo, akati, Moto waMwari wakabva kudenga, ukapisa makwai navafudzi, ukavapedza; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.
Iye akati achitaura, mumwe akasvikawo, akati, VaKaradhea vakaita mapoka matatu, vakawira makamera, vakamatora, navafudziwo vakavauraya neminondo inopinza; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.
Iye akati achitaura, mumwe akasvikawo, akati, Vanakomana venyu navanasikana venyu vakanga vachidya nokunwa waini mumba momukuru wavo,
dutu guru ndokubva kurutivi rwerenje, ndokurova pamusoro pavana, vakafa; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.
Ipapo Jobho akasimuka, akabvarura nguvo yake, akaveura vhudzi rake akazviwisira pasi, akanamata,
akati, Ndakabuda mumimba mamai vangu ndiri musvi, ndichadzokerapo ndiri musvi; Jehovha wakapa, Jehovha wakatora, zita raJehovha ngarikudzwe.
pazvinhu izvi zvose Jobho haana kutadza, haana kuti Mwari akaita noupenzi.

2

Zvino rimwe zuvazve vanakomana vaMwari vakati vachindomira pamberi paJehovha, Satani akasvikawo pakati pavo, akamira pamberi paJehovha.
Jehovha akati kuna Satani, Wabvepiko? Satani akapindura Jehovha, akati, Ndabva pakupota-pota nenyika, napakufamba-famba pairi.
Jehovha akati kuna Satani, Wacherekedza muranda wangu Jobho here? Nokuti hakuna munhu akafanana naye panyika, munhu akakwana, akarurama, anotya Mwari, achinzvenga zvakaipa; nazvino anorambira pakururama kwake, kunyange iwe wakandikurudzira kuti ndimuparadze asine mhaka.
Satani akapindura Jehovha, akati, Ganda rinotsihwa neganda, zvose zvaanazvo munhu angazviisira upenyu hwake.
Asi tambanudzai ruoko rwenyu zvino, murove mapfupa ake nenyama yake, ipapo achakushorai pachena.
Jehovha akati kuna Satani, Tarira, iye ari paruoko rwako; asi kwoga urege upenyu hwake.
Naizvozvo Satani akabva pamberi paJehovha, akarova Jobho namaronda akaipa, kubva patsoka dzake kusvikira pamusoro wake.
Jobho akatora chaenga akazvikwenya nacho; akagara pasi pakati pamadota.
Ipapo mukadzi wake akati kwaari, Ucharambira nazvino pakururama kwako here? Shora Mwari, ufe hako.
Asi iye akati kwaari, Iwe unotaura sezvinotaura mumwe wavakadzi mapenzi. Tingagamuchira zvakanaka bedzi paruoko rwaMwari, tikasagamuchira zvakaipawo here? Pazvinhu izvi zvose Jobho haana kutadza nomuromo wake. Shamwari dzaJobho dzinomushanyira
Zvino shamwari nhatu dzaJobho dzakati dzichinzwa zvakaipa zvose zvakanga zvamuwira, dzikauya mumwe nomumwe achibva kwake, dzaiti Erifazi muTemani, naBhiridhadhi muShuhi, naZofari muNamati; vakatenderana kundomunzwira tsitsi nokumunyaradza.
Zvino vakati vachitarira vachiri kure, vakasamuziva, vakachema kwazvo, mumwe nomumwe akabvarura nguvo yake, vakakushira guruva kudenga pamisoro yavo.
Ipapo vakagara pasi naye mazuva manomwe nousiku hunomwe; asi hakuna nomumwe akataura naye kunyange shoko rimwe; nokuti vakaona kuti njodzi yake yakanga iri huru kwazvo.

3

Shure kwaizvozvo Jobho wakashamisa muromo wake, akatuka zuva rake.
Jobho akapindura akati,
Zuva randakaberekwa naro ngarirove, Nousiku uhwo hwavakati, Mwana womukomana agamuchirwa.
Zuva iro ngarive rima; Mwari ari kumusoro ngaarege kurirangarira, Nechiedza ngachirege kurivhenekera.
Rima nomumvuri worufu ngazviritore rive razvo; Gore ngarigare pamusoro paro; Zvose zvinosvibisa zuva ngazvirivhunduse.
Kana huri vusiku uhwo, ngahubatwe nerima guru; Ngahurege kufara pakati pamazuva egore; Ngahurege kurahwa pakati pemwedzi.
Usiku uhwo ngahurege kubereka; inzwi romufaro ngarirege kupinda mahuri.
Vanotuka zuva iro ngavavutukewo, Ivo vanogona kumutsa shato huru.
Nyeredzi dzamambakwedza ahwo ngadzisvibe; Ngahumirire chiedza, asi huchishaiwe; Ngaurege kuona fungiro dzameso amangwanani;
Zvahusina kupfiga mikova yemimba yamai vangu, Kana kuvanza kutambudzika pameso angu.
Ndakaregereiko kufa ndichiri mumimba? Ndakaregerei kuparara ndichibuda mudumbu,
Mabvi akandigamuchirireiko? Kana mazamu, kuti ndimwe?
Nokuti ndingadai zvino ndakatandavara, ndinyerere; Ndingadai ndivete; ipapo ndingadai ndazorora;
Pamwechete namadzimambo namakurukota enyika Vakazvivakira matongo;
Kana namachinda, aiva nendarama, Akazadza dzimba dzawo nesirivha;
Kana ndingadai ndisina kuvapo somwana akaponiwa nguva isina kusvika; Savacheche vasina kutongoona chiedza.
Vakaipa vanorega kutambudza kwavo ipapo; Vakaneta vanozorora ipapo.
Vasungwa vanorugare pamwechete ipapo; Havanzwi inzwi romutariri.
Vaduku navakuru varipo; Uye muranda akasununguka panatenzi wake.
Munhu ari panjodzi anopiyirweiko chiedza, Noupenyu kuno ane shungu pamoyo;
Avo vanoshuva rufu, asi haruuyi; Vanoruchera kupfuura fuma yakavanzwa pasi;
Vanopembera kwazvo, Nokufara, kana vachiwana hwiro?
Munhu, akadzimira nzira yake, anopiyirweiko upenyu, Iye akadzivirirwa norumhanda naMwari?
Nokuti ndinogomera ndisati ndadya, Kuvuvura kwangu kunodururwa semvura.
Nokuti chinhu chandaitya chandiwira, Nechandinozeza chandivinga.
Handina mufaro, kana kunyarara, kana kuzorora; Asi njodzi inongosiuya.

4

Ipapo Erifazi muTemani akapindura, akati,
Kana munhu akaidza kutaurirana newe, iwe uchava neshungu here? Asi ndiani angazvidzora, akasataura hake?
Tarira, iwe wakadzidzisa vazhinji, Iwe wakasimbisa maoko akashaiwa simba.
Mashoko ako akatsigira akanga achivavarira kuwa, Iwe wakasimbisa mabvi akanga achigweda-gweda.
Asi zvino zvasvika kwauri, iwe woshaiwa simba, Zvakubata, zvino wotambudzika.
Ko kutya kwako Mwari harizi simba rako here? Kururama kwenzira dzako haizi tariro yako here?
Rangarira hako, ndianiko asine mhaka akatongoparara? Kana vakarurama vakatongoparadzwa papi?
Sezvandakaona ini, vanhu, vanorimira zvakaipa Navanodzvara zvakashata, ndivo vanokohwawo izvozvo.
Vanoparadzwa nomweya waMwari, Vanopedzwa nokufema kwokutsamwa kwake.
Kunduruma kweshumba nenzwi reshumba inehasha, Nameno evana veshumba anoparadzwa.
Shumba, yakwegura, inofa nokushaiwa zvingabata; Navana veshumbakadzi vanoparadzirwa.
Zvino ndakaziviswa shoko rakavanda; Nzeve yangu yakanzwa zeve-zeve raro.
Pandangariro dzinobva pane zvinoonekwa usiku, Kana vanhu vabatwa nehope huru;
Kutya nokubvunda kwakandiwira, Kwakabvundisa mapfupa angu ose.
Ipapo mweya wakapfuura pamberi pechiso changu; Mvere dzenyama yangu dzikasimuka.
Wakamira, asi ndakanga ndisingagoni kuona kuti akadini; Mufananidzo wangu wakanga uri pamberi pameso angu; Kunyarara kukavapo, ndikanzwa inzwi richiti,
Ko munhu, anofa, angakunda Mwari pakururama here? Ko munhu angakunda Muiti wake pakunaka here?
Tarirai, haatendi varanda vake; Vatumwa vake anovapa mhaka achiti mapenzi;
Ndoda vanogara mudzimba dzevhu, Nheyo dzadzo dzakateyiwa paguruva, Dzinopwanyiwa sezvivhundudzi.
Vanoparadzwa pakati pamagwanani namadekwana; Vanoparara nokusingaperi, pasina munhu ane hanya nazvo.
Ko bote retende ravo harina kuvhomorwa pamwechete navo here? Vanofa vasina uchenjeri.

5

Zvino chidana hako; panomumwe angakupindura here?
Nokuti kutsamwa kunouraya benzi, Uye shungu dzinoparadza asina zivo.
Ndakaona benzi richiita midzi; Asi pakarepo ndakatuka nzvimbo yaro.
Vana varo havatongoponeswi, Vanopwanyiwa musuo; Hapana anovarwira.
Zvaakacheka zvinodyiwa navane nzara, Vanozvitora kunyange napakati peminzwa; Vane nyota vanonwa fuma yavo.
Nokuti kutambudzika hakubudi paguruva. Uye nhamo haibvi pasi.
Asi munhu anoberekerwa nhamo, Sebaribari dzomoto dzinokwira kumusoro.
Asi kana ndirini, ndaitsvaka Mwari, Ndaiisa mhosva yangu kuna Mwari;
Iye anoita zvinhu zvikuru zvisinganzverwi; Zvinhu zvinoshamisa zvisingaverengwi;
Iye anonisa mvura panyika, Anotuma mvura paminda;
Ndiye anokwiridza vakaderera; Vanochema vanokundiswa.
Anokanganisa mano avanyengeri, Maoko avo arege kuita zvavakanga vachida kuita.
Vakachenjera anovabata pamano avo, Nokurangana kwavasakarurama kunoputsirwa pasi.
Vanosangana nerima masikati. Vanotsvanzvadzira masikati makuru sapausiku.
Asi iye anorwira paminondo yemiromo yavo, Anorwira anoshaiwa pamaoko avane simba.
Saka murombo ane tariro, Kuipa kunozvifumbira murumo.
Tarirai, munhu, anorairwa naMwari, ano mufaro; Saka usazvidza kuranga kwowaMasimbaose.
Nokuti iye anokuvadza, ndokusungazve vanga, Unopwanya, maoko ake ndokupodzazve.
Iye achakurwira panjodzi nhanhatu; Kunyange panomwe hakuna chakaipa chingakubata.
Panzara achakudzikunura parufu; Napakurwa achakudzikunura pasimba romunondo.
Iwe uchavanziwa pakurohwa norurimi; Haungatyi kuparadza kana kuchisvika.
Uchaseka kuparadza nokushaiwa; Haungatyi zvikara zvenyika.
Nokuti iwe uchaita sungano namabwe esango; Zvikara zvesango zvichaita rugare newe.
Iwe uchaziva kuti tende rako rino rugare; Uchandotarira zvipfuwo zvako, ukasashaiwa chimwe chazvo.
Uchazivawo kuti vana vako vachawanda, Navazukuru vako vachaita souswa hwenyika.
Uchasvika pahwiro hwako wakwegura kwazvo, Sechisote chezviyo chinosvika panguva yacho.
Tarira izvozvi takazvinzvera, ndizvozvo; Chizvinzwa, uzvizive iwe umene.

6

Ipapo Jobho akapindura, akati,
Haiwa, dai kutambudzika kwangu kwaiyerwa, Nenjodzi dzangu dzaivunganidzirwa pachiyero!
Nokuti zvino zvairema kupfuura jecha ramakungwa; Naizvozvo mashoko angu aiva okuvhurumuka.
Nokuti miseve yoWamasimba yakandibaya mukati mangu, Mweya wangu unonwa uturu hwayo; Zvinotyisa zvaMwari zvazvigadzirira kurwa neni.
Ko mbizi ingachema kana ine bumhudza here? Ko nzombe ingakuma pazvokudya zvayo here?
Ko chisinganaki chingadyiwa chisino munyu here? Ko zvichena zvezai zvinozipa here?
Mweya wangu unoramba kuzvibata; Kwandiri zvakafanana nezvokudya zvinosemesa.
Haiwa! Dai ndaipiwa zvandinokumbira; Dai Mwari aindipa zvandinoshuva.
Dai Mwari aitenda hake kundipwanya, Dai aitambanudza hake ruoko rwake, akandiparadza.
Ipapo ndainyaradzwa hangu; Zvirokwazvo ndaifara pakurwadziwa kusine tsitsi; Nokuti handina kuramba mashoko oMutsvene.
Simba rangu ndereiko, randingamirira naro rufu? Mugumo wangu ndoweiko, kuti nditsungirire?
Simba rangu rakafanana neramabwe here? Nyama yangu indarira kanhi?
Handizinoshaiwa rubatsiro mukati mangu here? Uchenjeri kwahwo hahuzadzingwa chose kwandiri here?
Munhu, anorwisa kuziya, anofara kuitirwa nyasha neshamwari dzake; Angazorega kutya waMasimbaose.
Hama dzangu dzakaita nokusatendeka sorukova, Sokuyerera kwehova dzinopfuura;
Dzakasviba nokuda kwamazaya echando, Uye panovanda chando;
Kana zuva ropisa, dzonyangarika; Kana kwopisa dzinopedzwa panzvimbo yadzo.
Vafambi vanofamba nenzira yadzo vanotsauka, Vanokwira kurenje ndokuparara
Vafambi veTema vakatarira, Mapoka eShebha akadzimirira.
Vanonyadziswa nokuti vakanga vane tariro; Vakasvikapo vakakanganiswa.
Nokuti zvino hamuzi chinhu; Munoona chinotyisa, ndokutya.
Ko ndakati, Ndipei here? Kana, Ndivigirei chipo chinobva pafuma yenyu here?
Kana, Ndirwirei paruoko rwomudzivisi here? Kana, Ndidzikunurei paruoko rwavamanikidzi here?
Ndidzidzisei, ndinyarare hangu; Mundidudzire pandatadza.
Mashoko akarurama ane simba sei! Asi kutuka kwenyu kunotukeiko?
Munofunga kutuka mashoko here? Nokuti mashoko omunhu, arasha moyo, anotorwa nemhepo.
Zvirokwazvo munoda kukanda mijenya pamusoro penherera isina baba, Munoda kutengesa shamwari yenyu.
Naizvozvo zvino chindonditarirai henyu; Nokuti zvirokwazvo handingarevi nhema pamberi penyu.
Dzokai henyu, ndizvo zvandinokumbira, kusarurama kurege kuvapo, Dzokai henyu, mhaka yangu yakarurama.
Parurimi rwangu panokusarurama here? Kuravira kwangu hakungasaruri zvinhu zvakashata here?

7

Ko munhu haatambudziki here pabasa panyika? Mazuva ake haana kufanana namazuva omubatiri here?
Somuranda anoshuva mumvuri, Nomubatiri anotarira mubairo wake;
Saizvozvo ini ndakapiwa mwedzi isina maturo, Ndakatarirwa usiku hwenjodzi.
Kana ndovata, ndinoti, Ndichamuka rinhiko? Asi usiku hwakareba; Ndinoramba ndichishanduka-shanduka kusvikira kwoedza.
Nyama yangu yakafukidzwa nehonye namavhinga evhu., Ganda rangu rinofunuka, richiputika hurwa.
Mazuva angu anokunda chirukiso chomuruki pakukurumidza, Anopera ndisine tariro.
Rangarirai henyu kuti upenyu hwangu imhepo hayo; Ziso rangu harichazooni zvakanaka.
Ziso romunhu unondiona harichazonditaririzve; Meso ako achanditarira, asi handichazovepo.
Sokupera kwegore nokunyangarika kwaro, Saizvozvo munhu, anoburukira kuSheori, haangazokwirizve.
Haangazodzokeri kumba kwake, Nenzvimbo yake haingazomuzivi
Saka handinganyarari nomuromo wangu; Ndichataura pakutambudzika kwomweya wangu; Ndichanyunyuta neshungu dzangu dzomoyo.
Ndiri gungwa kanhi, kana zimhuka regungwa, Zvamunoisa vanondirindira?
Kana ndikati, nhovo yangu ichandinyaradza, Mubhedha wangu uchazorodza kunyunyuta
Ipapo mondivhundusa nokurota hope, Mondityisa nezvandinoona;
Naizvozvo moyo wangu unotsaura kudzipwa,Nokufa kupfuura mapfupa angu awa.
Ndinosema upenyu hwangu; handidi kurarama nokusingaperi; Ndiregei; nokuti mazuva angu akafanana nokufema.
Munhu chinyiko, zvamunomukudza, Nokumuda nomoyo wenyu wose,
Zvamunomushanyira mangwanani ose Nokumuidza nguva dzose?
Mucharega rinhiko kundicherekedza, Nokundirega kusvikira ndamedza mate angu?
Kana ndichinge ndatadza, ndingakuiteiko imi, mucherekedzi wavanhu? Makandiitireiko chinhu chamunovavarira, Kuti lni ndizviremekedze.
Munoregereiko kukanganwira kudarika kwangu, nokubvisa kutadza kwangu? Nokuti zvino ndichavata pasi muguruva; Muchanditsvaka zvikuru, asi handichazovepo.

8

Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati,
Ucharamba uchitaura mashoko awa kusvikira rinhiko?
Ko Mwari angakanganisa pakutonga here WaMasimbaose angakanganisa zvakarurama here?
Kana vana vako vakanga vamutadzira iye, Akavaisa pakudarika kwavo;
Kana iwe ukashingaira kutsvaka Mwari, Ukakumbira kuna waMasimbaose;
Kana ukava akanaka, akaruruma; Iye angadai aimuka zvino nokuda kwako, Akafambisa zvakanaka imba yako yakarurama.
Kunyange kutanga kwako kwaiva kuduku, Asi kuguma kwako kwaiva kukuru kwazvo.
Nokuti chidobvunza hako rudzi rwakare, Ucherekedze zvakanzverwa namadzibaba avo.
(Nokuti isu tiri vazuro hedu, hatizivi chinhu; Nokuti mazuva edu panyika akafanana nomumvuri;)
Ivo havangakudzidzisi here, nokukuudza, Nokureva mashoko anobva pamoyo yavo here?
Ko nhokwe ingamera pasine nhope here? Ko rutsanga rungamera pasine mvura here?
Ruchiri runyoro, rusati rwatemwa, Runosvava mimwe miriwo ichigere.
Ndizvo zvakaita nzira dzavose vanokanganwa Mwari; Uye tariro yomunhu asingadi Mwari ichapera;
Chaakatarira chichaputsanyiwa, Chaakatenda chakafanana namambure edandemutande
Uchasendamira paimba yake, asi haingamiri; Uchaibata, asi haingagari.
Iye muti mutema pamushana, Matavi ake anotandavarira pamunda wake.
Midzi yake yakapombera patsime, Unoona nzvimbo yorukangarabwe.
Kana akaparadzwa panzvimbo yake, Ichamuramba, ichiti, Handina kukuona,
Tarira, ndiwo mufaro wenzira yake; Paguruva panobuda vamwe.
Tarira, Mwari haangarashi munhu wakarurama, Haangabatsiri vanoita zvakaipa.
Achazozadza hake muromo wako nokuseka, Nemiromo yako nokupururudza.
Vanokuvenga vachafukidza nokunyara; Uye tende ravakaipa haringazovipo.

9

Ipapo Jobho akapindura, akati,
Zvirokwazvo ndinoziva kuti ndizvo, Nokuti munhu angava akarurama pamberi paMwari seiko?
Kana iye akada kuita nharo naye, Haangagoni kumupindura shoko rimwe pamashoko ane zviuru.
Iye anomoyo wakangwara, une simba guru; Ndianiko akamuomesera moyo wake, akazofara?
Iye anobvisa makomo, iwo asingazvizivi, Kana achiashandura pakutsamwa kwake.
Iye anozunungusa nyika ikabva panzvimbo yayo, Mbiru dzayo dzinodengenyeka.
Iye anoraira zuva, rikarega kubuda; Iye anodzitira nyeredzi.
Iye oga anotatamura denga, Anotsika pamusoro pamafungu
Iye anoita nyeredzi dzeAkituro, nedzeOrinoni, nedzeChimutanhatu, Namakamuri enyasi.
Iye anoita zvinhu zvikuru zvisinganzverwi, Izvo zvinhu zvinoshamisa, zvisingagoni kuverengwa.
Tarira, anopfuura pedo neni, ndisingamuoni; Anopfuurawo hake, asi handimuoni.
Tarira, anotora hake, ndiani angamudzivisa? Ndiani angati kwaari, Unoiteiko?
Mwari haangadzori kutsamwa kwake; Vabatsiri vaRahabhi vakakotamira pasi pake.
Ko zvino ini ndichamupindura seiko, Nditsaure mashoko angu ndiite nharo naye?
Kunyange ndaiva akarurama handizaimupindura; Ndaikumbira nyasha kumutongi wangu.
Kana ndichinge ndadana, akandipindura, Kunyange zvakadaro handizaitenda kuti akanzwa inzwi rangu.
Nokuti anondiputsa nedutu remhepo, Anowanza mavanga angu ndisine mhosva hangu.
Handitenderi kutema mweya wangu, Asi anondizadza nezvinovava.
Kana riri simba guru, tarira, iye anaro! Kana iri mhosva inotongwa, ndiani achanditarira nguva?
Kunyange ndaiva akarurama hangu, muromo wangu umene uchandipa mhaka; Kunyange ndaiva akakwana, iye aiti handina kururama.
Ndakakwana hangu, handizvirangariri; Ndinozvidza upenyu hwangu.
Zvose zvakafanana hazvo; saka ndinoti, Iye anoparadza vakarurama navakaipa vose.
Kana nyatwa ichinge yauraya nokukurumidza, Iye achaseka njodzi yavasina mhosva.
Nyika yakaiswa mumaoko avakaipa; Iye anofukidza meso avatongi vayo; Kana asiri iye, zvino ndianiko?
Zvino mazuva angu anokurumidza kupfuura mumhanyi; Anotiza asina kuona zvakanaka.
Apfuura sezvikepe zvinomhanyisa; Segondo rinokurumidzira chiurawa.
Kana ndikati, Ndichakanganwa kunyunyuta kwangu, Ndicharega chiso changu chinopunyaira, ndifare hangu.
Ndinotya njodzi dzangu dzose, Ndinoziva kuti hamungati handine mhosva.
Ndichapiwa mhosva; Zvino ndinotamburireiko zvisina maturo?
Kana ndikangura nemvura yechando, Ndikachenesa maoko angu kwazvo;
Kunyange zvakadaro imi mungandinyudza mumatope, Nenguvo dzangu dzichandisema.
Nokuti iye haazi munhu akafanana neni, kuti ndimupindure, Kuti tikwirirane pakutonga.
Hakuna mununuri pakati pedu, Ungatibata tose noruoko rwake.
Ngaabvise shamhu yake kwandiri, hasha dzake dzirege kundityisa;
Ipapo ndaitaura, ndisingamutyi; Nokuti handizakadaro hangu.

10

moyo wangu waneta noupenyu hwangu; Handingazvidzori pakunyunyuta kwangu; Ndichataura neshungu dzomoyo wangu.
Ndichati kuna Mwari, Musandipa mhosva. Ndiratidzei kuti munorwa neni nemhaka yeiko?
Zvinokufadzai here kumanikidza, Nokuzvidza basa ramaoko enyu, Muchivhenekera kurangana kwavakaipa here?
Munameso enyama here, Kana munoona somunhu here?
Mazuva enyu akafanana namazuva omunhu here, Kana makore enyu namakore omunhu here?
Zvamunobvunza zvakaipa zvangu, Nokunzvera zvivi zvangu,
Kunyange muchiziva kuti handizi wakaipa; Uye kuti hakuna anogona kurwira paruoko rwenyu here?
Maoko enyu akandiita nokundiumba, Nhivi dzangu dzose; kunyange zvakadaro moda kundiparadza.
Rangarirai, ndizvo zvandinokumbira, kuti makandiumba sevhu; Zvino muchandidzosera kuguruva here?
Hamuna kundidurura somukaka here, Nokundikodza somukaka wakafa?
Makandifadza nenganda nenyama, Mukandisunganidza namapfupa namarunda.
Makandipa upenyu netsitsi, Hanya dzenyu dzakachengeta mweya wangu.
Asi makavanza zvinhu izvi mumoyo menyu; Ndinoziva kuti chinhu ichi chaiva nemi kare.
Kana ndikatadza munondicherekedza, Hamudi kundikanganwira kudarika kwangu.
Kana ndiri wakaipa, ndine nhamo; Kana ndiri wakarurama, kunyange zvakadaro handingasimudzi musoro wangu; Zvandizere nokunyadzwa Ndichangotarira kutambudzika kwangu.
Kana ndikazvikudza, munondironda seshumba; Munopamhazve kundishamisa nesimba renyu.
Munowedzera zvapupu zvenyu kuzorwa neni, Nokuwanza kutsamwa kwenyu pamusoro pangu; Kushanduka nehondo zvineni.
Makandibudisireiko pachizvaro chamai? Ndingadai ndaifira hangumo, ndisati ndaonekwa neziso romunhu.
Ndaiita hangu sendisina kuvapo; Ndaitakurirwa kuhwiro ndichibva pachizvaro chamai.
Ko mazuva angu haazi mashoma here? Zvino gumai, Ndiregei henyu, kuti ndizorore zvishoma,
Ndisati ndaenda kwandisingazodzoki, Kunyika yerima nomumvuri worufu;
Iyo nyika yerima guru, rima chairo; Nyika yomumvuri worufu, panokukanganiswa, Ipapo chiedza chakafanana nerima.

11

Ipapo Zofari muNaamati akapindura, akati,
Ko mashoko mazhinji akadai haangapindurwi here? Munhu anoshoshoma angaruramisirwa here?
Manyawi ako angafanira kunyaradza vanhu here? Kana uchidadira, hakuna ungakunyadza here?
Nokuti iwe unoti, Zvandinoparidza ndezvazvokwadi, Ndakachena pamberi penyu.
Asi, haiwa! Dai Mwari hake achitaura, Ashamise miromo yake pamusoro pako;
Akuratidze zvakavanzwa zvokungwara, Kuti kuna mativi mazhinji. Uzive naizvozvo kuti Mwari anokanganwira zvimwe zvakaipa zvako.
Unganzwisisa zvakadzika zvaMwari here? Ungakwanisa kunzwisisa iye waMasimbaose here?
Zvakakwirira sokudenga; iwe ungaiteiko? Zvakadzika kupfuura hwiro; iwe ungaziveiko?
Kureba kwazvo kunopfuura nyika, Uye upamhi hwazvo hunopfuura gungwa.
Kana iye akapfuura, akapfigira mitomgo, Akakokera vanhu kukutongwa, ndiani angamudzivisa?
Nokuti iye anoziva vanhu venhema; Anoonawo zvakaipa, kunyange asingazvifungi.
Asi munhu asakachenjera anoshaiwa kunzwisisa, Zvirokwazvo, munhu anozvarwa semhuru yembizi.
Kana iwe ukaruramisa moyo wako, Ukatambanudzira maoko ako kwaari;
Kana zvakaipa zviri muruoko rwako, uzviise kure, Kusarurama ngakurege kugara mumatende ako;
Zvirokwazvo ipapo ungasimudza chiso chako, usine gwapa, Zvirokwazvo, uchasimba, usingatyi, chinhu.
Nokuti uchakanganwa njodzi yako, Uchairangarira semvura yapfuura;
Upenyu hwako huchavara kupfuura masikati makuru; Kunyange kune rima, kuchava samangwanani.
Iwe uchasimba pamoyo, nokuti tariro ichavapo; Zvirokwazvo, ucharingaringa ndokuzorora hako wakachengetwa.
Uchavata hako pasi, hakuna angakutyisa; Zvirokwazvo, vazhinji vachatsvaka kukufadza.
Asi meso avakaipa achapera nokutarira, Vachashaiwa pokutizirapo, Tariro yavo ichava yokufa.

12

Ipapo Jobho akapindura, akati,
Zvirokwazvo, imi muri vanhu vakangwara, Kungwara kuchafa pamwechete nemi.
Asi ini ndine njerewo semi; Handizi muduku kwamuri, Zvirokwazvo, ndianiko asingazivi zvinhu zvakadai?
Ndakafanana nomunhu anosekwa nowaanogara naye, Munhu akadana kuna Mwari, iye akamupindura; Munhu wakarurama, akakwana, ndiye wosekwa.
Munhu anogara akafara hake anoshora pamifungo yake munhu uri panjodzi. Kushorwa kunogarira vanhu vanotedzemuka norutsoka rwavo.
Matende amakororo anofara hawo, Avo vanotsamwisa Mwari vanogara havo zvakanaka; Ivo vanozadzirwa ruoko rwavo naMwari.
Asi bvunzai henyu zvino mhuka, dzichakudzidzisai Neshiri dzokudenga, dzichakuudzai;
Kana taurai henyu nenyika, ichakudzidzisai; Nehove dzegungwa dzichakuparidzirai.
Ndianiko asingazivi pazvinhu izvi zvose, Kuti ndirwo ruoko rwaJehovha rwakaita izvi zvose?
Mweya wezvipenyu zvose uri muruoko rwake, Nokufema kwavanhu vose.
Ko nzeve haiidzi mashoko, Somukanwa unoravira zvokudya here?
Vatana ndivo vakangwara, Vana mazuva mazhinji ndivo vanonzwisisa.
Iye ndiye anokungwara nesimba, Ndiye anamano nokunzwisisa.
Tarirai, iye anokoromora, hazvingavakwizve; Iye anopfigira munhu, haangazozarurirwi.
Tarirai, iye anodzivisa mvura, ndokupwa kwayo; Uye anoitumazve, ndokushandura kwayo nyika.
Iye ane simba nokungwara kukuru; Akanyengerwa nounonyengera ndavake vose.
Unokanganisa mano amanevanje, Vatongi anovaita mapenzi.
Anosunungura simba ramadzimambo, Ndokusunga zviuno zvavo negwarada.
Anotorera vapirisiti ukuru hwavo, Nokukunda vane simba.
Anotorera vakatenda mashoko avo, Nokubvisira vakuru kunzwisisa
Anodurura kushoora kwake pamusoro pamachinda, Nokusunungura bhanhire ravane simba.
Anofukura zvinhu zvakadzika parima, Anobudisira kuchiedza mumvuri worufu.
Anowanza ndudzi, ndokudziparadza, Anoparadzira ndudzi kwose, ndokudzitapa.
Anobvisa kunzwisisa kwavakuru vavanhu venyika, Anovadzungairisa murenje musine nzira.
Vanotsvangadzira murima vasina chiedza, Anovadzengedzekesa somunhu akabatwa.

13

Tarirai, ziso rangu rakaona izvi zvose, Nzeve yangu yakazvinzwa nokuzvinzwisisa.
Zvamunoziva imi, ndinozvizivawo; Handizi muduku kwamuri.
Zvirokwazvo, ndinoda kutaura nowaMasimbaose, Ndinoda kuzvidavira kuna Mwari.
Asi imi munofukidza zvose nenhema dzenyu, Imi mose muri nanga dzisina maturo.
Haiwa! Dai muchinyarara mose! Ndiko kwaiva kungwara kwenyu!
Zvino chinzwai kuzvidavira kwangu, Teererai munzwe ndichizvirevera nemiromo yangu.
Munoda kurwira Mwari muchitaura zvisakarurama here? Nokureva zvinonyengera nokuda kwake here?
Munoda kuva nehanya naye here? Munoda kurwira Mwari kanhi?
Ko zvakanaka kana iye achikunzverai here? Imi mungamunyengera, sezvamunganyengera munhu here?
Zvirokwazvo iye achakutukai, Kana mukava nehanya pakavanda.
Ukuru hwake haungakutyisiyi here? Haangakutyisiyi zvikuru here?
Mashoko enyu enjere ishumo dzamadota, Nhare dzenyu inhare dzevhu.
Nyararai, ndiregei nditaure, Ndiwirwe hangu nezvandingawirwa nazvo.
Ndicharumireiko nyama yangu nameno angu, Nokubata upenyu hwangu muruoko rwangu?
Kunyange akandiuraya hake, ndichamumirira hangu; Kunyange zvakadaro ndichazvidavirira hangu pamberi pake pamusoro pomufambiro wangu.
Ndirwowo ruchava ruponeso rwangu, Kuti munhu asingatendi Mwari haangasviki pamberi pake.
Inzwai zvakanaka kutaura kwangu, Kuparidza kwangu kupinde nzeve dzenyu.
Tarirai zvino, ndarongedza mhaka yangu; Ndinoziva kuti ndicharuramisirwa.
Ndianiko achaita nharo neni? Nokuti zvino ndinganyarara hangu, ndikafa.
Asi regai henyu kundiitira zvinhu zviviri, Ipapo handingavandi pamberi penyu;
Bvisai ruoko rwenyu kure neni; Kutyisa kwenyu kurege kundivhundusa.
Ipapo mudane imi, ini ndichapindura; Kana ini nditaure hangu, imi mundipindure.
Zvakaipa zvangu nezvivi zvangu zvinganiko? Ndizivisei kudarika kwangu nechivi changu.
Munovanzireiko chiso chenyu, Muchiti ndiri muvengi wenyu?
Munoda kuvhundusa shizha rinopepereswa here? Munoda kudzingana namakoto akaoma here?
Munotonga zvinhu zvinovava pamusoro pangu, Munondidyisa nhaka yezvakaipa Zvujaya hwangu;
Munomana makumbo angu mumatanda, nokucherekedza nzira dzangu dzose; Munotarira tsoka dzamakumbo angu muganhu;
Kunyange ndakafanana nechinhu chakaora chinopera, Senguvo yapedzwa nezvivhundudzi.

14

Munhu akazvarwa nomukadzi anamazuva mashoma, azere nokutambudzika.
Anobuda seruva, ndokusvava; Anotizawo somumvuri, haagari.
Ko munotarira munhu akadai nameso enyu, Muchinditonga here?
Ndianiko angabudisa chinhu chakanaka pane chakaipa? Hakuna.
Mazuva ake zvaakatarwa, mwedzi yake yakaverengwa nemi, Makamutarira miganho yaasingatenderwi kudarika;
Regai kumucherekedza, azorore, Kusvikira apedza zuva rake somubatiri.
Nokuti kana muti uchinge watemwa, kune tariro kuti uchabudazve, Uye kuti davi rawo nyoro haringaperi.
Kunyange mudzi wawo ukakwegurira muvhu, Nehunde yawo ikafa pasi;
Kunyange zvakadaro uchabukira kana wanzwa kunhuwira kwemvura, Ndokubudisa matavi somuti muduku.
Asi munhu anofa, akaparara hake; Zvirokwazvo munhu anorega kufema, zvino aripiko?
Mvura inopera pagungwa, Uye rwizi runopera nokupwa;
Saizvozvo munhu anovata pasi, akasamukazve; Havazomukizve kusvikira denga rapera, Havangamutswi pahope dzavo.
Dai muchindivanza henyu paSheori, Muchindichengeta pakavanda, kusvikira hasha dzenyu dzapfuura, Munditemere nguva yakatarwa, yamungandirangarira nayo.
Kana munhu achinge afa, angararamazve here? Ndaimira hangu mazuva ose okutambudzika kwangu, Kusvikira kusunungurwa kwangu kuchisvika.
Maizodana, ini ndikakupindurai; Maishuva basa ramaoko enyu.
Asi zvino munoverenga nhambwe dzangu;
Kudarika kwangu kwakasungirwa muhombodo, Munosunga zvakaipa zvangu.
Gomo kana richiwa zvirokwazvo rinopfupfunyuka, Uye dombo rinobviswa panzvimbo yaro;
Mvura inochera mabwe; Kuyerera kwayo kunokukura guruva renyika;. Imi munoparadza tariro yomunhu.
Munomukunda nokusingaperi, iye akapfuura hake; Munoshandura chiso chake, ndokumudzinga.
Vana vake vanokudzwa iye asingazvizivi; Vanoderedzwa, asi iye haaoni vachiitirwa izvozvo.
Asi kana ari iye, nyama yake inorwadziwa, Mweya wake unochema mukati make.

15

Ipapo Erifazi muTemani akapindura, akati,
Ko munhu, ane njere, angapindura nenjere dzisina maturo Nokuzadza dumbu rake nemhepo inobva mabvazuva here?
Angaita nharo nokutaura zvisingabatsire, Kana mashoko aasingagoni kubata basa rakanaka nawo here?
Zvirokwazvo iwe unorasha kutya Mwari, Nokukanganisa vanoda kufunga Mwari.
Nokuti zvakaipa zvako zvinodzidzisa muromo wako, Unotsaura rurimi rwavanyengeri.
Muromo wako ndiwo unokupa mhosva, handizini. Zvirokwazvo miromo yako inokupupurira zvakaipa.
Ko ndiwe wakatanga kuzvarwa kanhi? Kana wakaberekwa makomo asati avapo here?
Iwe wakanzwa mano akavanzika aMwari kanhi? Ndiwe woga wakazviwanira njere kanhi?
Unozivei iwe zvatisingaziviwo isu? Unonzwisisei iwe zvisati zviri matiriwo?
Vakachena vhudzi navatana vakwegura kwazvo vanesu, Vakapfuura baba vako kwazvo pazero.
Ko kunyaradza kwaMwari hakukuringani here, Neshoko rinotaurwa nounyoro kwauri here,
moyo wako unokurashirei? Meso ako anobwaireiko?
Zvaunorwa naMwari nomweya wako, Uchitendera mashoko akadai kubuda pamuromo wako.
Munhu chinyiko? Angava akanaka sei? Naiye akazvarwa nomukadzi, angava akarurama sei?
Tarira, haatendi vatsvene vake; Zvirokwazvo, kudenga hakuna kunaka pamberi pake.
Ndoda munhu anosemesa, akaora, Munhu anonwa zvakaipa semvura.
Ndichakuratidza, chiteerera; Ndichakududzira zvandakaona.
(Zvakarehwa navanhu vakangwara Zvavakanzwa kumadzibaba avo, vasina kuzvivanza;
Ivo vakanga vapiwa nyika voga, Hakuna mutorwa akapinda pakati pavo;)
Munhu akaipa anotambudzika achirwadziwa mazuva ake ose, Iwo makore akatarirwa mumanikidzi.
inzwi rezvinotyisa riri munzeve dzake; Muparadzi achamusvikira akafara.
Haatendi kuti achadzokazve achibva parima, Anovandirwa nomunondo.
Unofamba-famba achitsvaka zvokudya, achiti, Zviripiko? Anoziva kuti zuva rerima riri pedo naye,
Njodzi nokutambudzika zvinomutyisa; Zvinomukunda, samambo akazvigadzirira kurwa.
Nokuti akatambanudzira ruoko rwake kuzorwa naMwari, Akazvikudza pamberi powaMasimbaose;
Anomhanyira kwaari anomutsipa mukukutu, Namakwande makobvu enhovo dzake.
Nokuti akafukidza chiso chake namafuta, Akaunganidza mafuta mazhinji pachiuno chake.
Akagara pamaguta akanga ava matongo, Padzimba dzisina kufanira kugarwa nomunhu, Dzaikarokushanduka matongo.
Iye haangavi mufumi, fuma yake haingagari, Nezvibereko zvazvo hazvingaremberi pasi.
Haangabvi parima; Murazvo womoto uchawomesa matavi ake, Uchabviswa nomweya womuromo waMwari.
Ngaarege kuvimba nezvisina maturo, achizvinyengera; Nokuti mubairo wake uchava zvisina maturo.
Zvichaitwa nguva yake isinokusvika, davi rake haringavi nyoro.
Achazuka mazambiringa ake agere kuibva somuzambiringa, Uchazuka maruva ake somuorivhi.
Nokuti ungano yavasingadi Mwari haingabereki, Moto uchapedza matende avafufuri.
Vane mimba yezvakashata, vanobereka zvakaipa, Dumbu ravo rinogadzira kunyengera.

16

Ipapo Jobho akapindura, akati,
Ndatonzwa hangu mashoko mazhinji akadai; Imi mose muri vanyaradzi pasina.
Ko mashoko asina maturo achapera here? Chinyiko chinokugombedzera kupindura?
Neniwo ndaigona kutaura semi; Kana mweya yenyu yaiva panzvimbo yomweya wangu, Ndaigonawo kubatanidza mashoko pamusoro penyu, Ndaikudzungudzirai musoro wangu.
Asi ndingadai ndaikusimbisai nomuromo wangu, Nokuvaraidza kwemiromo yangu kwaikuremudzai.
Kunyange ndichitaura hangu, kuchema kwangu hakuremudzwi; Kunyange ndikarega hangu, ndinotapudzirwa neiko?
Asi zvino iye andinetsa, Imi maparadza mhuri yangu yose.
Imi makandibata nesimba, ndizvo zvinondipupurira; Kuonda kwangu kunondimukira, Kunondipupurira zvakaipa pachena.
Iye akandibvarura pakutsamwa kwake, akandivenga; Akarumanya meno ake pamusoro pangu; Mudzivisi wangu anondiwetsera meso ake.
Vakandishamisira miromo yavo Vakandirova padama, vachindituka, Vanoungana kuzorwa neni.
Mwari anondiisa kuna vasakarurama; Anondikanda pamaoko avakaipa.
Ndakanga ndichizorora hangu, iye akandivhuna; Zvirokwazvo akandibata nomumutsipa, akandiputsanya; Akandiita chiposherwa chake.
Miseve yake inondikomba kumativi ose; Anopamura itsvo dzangu, asinganzwiri nyasha; Anodururira nduru yangu pasi.
Anondikoromora nokukoromora-koromora; Anomhanyira kwandiri semhare.
Ndakasonera masaga paganda rangu, Ndakaradzika runyanga rwangu muguruva.
Chiso changu chatsvuka nokuchema. Mumvuri worufu uri pamafungiro ameso angu.
Kunyange maoko angu asingadi hawo kuparadza, Nokunyengetera kwangu kwakanaka hako.
Iwe nyika, rega hako kufukidza ropa rangu; Kuchema kwangu ngakushaiwe nzvimbo yokuzorora.
Nazvino, tarirai, chapupu changu chiri kudenga, Iye, anondipupurira zvakanaka, ari kumusoro.
Shamwari dzangu dzinondishora, Asi ziso rangu rinodurura misodzi yangu pamberi paMwari.
Kuti aruramisire munhu pamberi paMwari, NoMwanakomana womunhu pamberi powokwake.
Nokuti kana makore mashoma apfuura, Ndichafamba nenzira yandisingazodzokizve nayo.

17

Mweya wangu wapera, mazuva angu adzima, Hwiro hunondimirira.
Zvirokwazvo, vanondiseka vaneni; Ziso rangu rinoramba richiona kutsamwa kwavo.
Zvino ndipikirei, muve rubatso rwangu kwamuri; Ndianiko achabatana maoko neni?
Nokuti makavanzira moyo yavo kunzwisisa; Naizvozvo hamungavakudzi.
Iye, anokwirira shamwari dzake kuti dzitapwe, Meso avana vake achapera.
Iye akandiita shumo pakati pavanhu; Ndinosemwa pachena.
Ziso rangu harichaoni nemhaka yokuchema, Mitezo yangu yose yafanana nomumvuri.
Vanhu vakarurama vachakanuka nazvo, Asine mhaka achamukira vasingadi Mwari.
Kunyange zvakadaro wakarurama acharambira panzira yake, Uye ana maoko akanaka acharamba achisimba.
Asi imi mose dzokai, muuye zvino; Nokuti handingawani munhu akangwara pakati penyu.
Mazuva angu apfuura, zvandaivavarira zvakona, Iyo mifungo yomoyo wangu.
Vanoshandura usiku ave masikati; Vanoti, Chiedza chiri pedo nerima.
Kana ndine tariro, Sheori ndiyo imba yangu; Ndakawadza nhovo yangu murima;
Ndakati kuhwiro, Ndiwe baba vangu; Nokuhonye, Ndiwe mai vangu nehanzvadzi yangu;
Zvino tariro yangu iripiko? Kana iri tariro yangu, ndianiko angaiona?
Ichaburukira kumazariro eSheori, Kana zororo yavapo paguruva.

18

Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura, akati,
Muchateyana namashoko kusvikira rinhiko? Chimbofungai henyu, tigotaurirana pashure.
Tinonzi mhuka neiko, Navanhu vasina kunaka pamberi penyu?
Iwe unozvibvarura nokutsamwa kwako, Nyika ingarashwa nokuda kwako kanhi? Kana dombo ringabviswa panzvimbo yaro here?
Zvirokwazvo, chiedza chavakaipa chichadzima, Murazvo womoto wake haungavhenekeri:
Chiedza chichasviba patende rake, Mwenje wake pamusoro pake uchadzima.
Nhambwe dzesimba rake dzichadzorwa, Namano ake achamuwisira pasi.
Nokuti anowisirwa mumumbure namakumbo ake amene, Anofamba pamusoro pezvakarukwa.
Rugombe ruchamubata chitsitsinho, Musungo uchamubatisa.
Anovanzirwa chishwe muvhu, Nomurau panzira.
Uchavhunduswa nezvinotyisa pamativi ose, Zvichamuteverera pedo-pedo.
Simba rake richarumwa nenzara. Njodzi ichamugarira parutivi rwake.
Ichapedza mitezo yomuviri wake, Dangwe rorufu richapedza mitezo yake.
Uchadzurwa patende rake raaivimba naro; Uchaiswa kuna mambo anotyisa.
Mutende rake munogara zvisati zviri zvake; Suriferi ichasaswa pamusoro peimba yake.
Midzi yake ichaoma pasi, Davi rake richatemwa kumusoro.
Haangazorangarirwi panyika; Zita rake haringazozikanwi panzira dzomumusha.
Achadzingwa pachiedza aende kurima; Achadzingwa abve panyika.
Haangavi nomwanakomana kana muzukuru pakati pavanhu vake, Kana mumwe akasara, paakanga agere ari mutorwa.
Vanogara kumavirazuva vachakanuka vachiona zuva rake, Vagere kumabvazuva vachabatwa nokubvunda.
Zvirokwazvo, ndizvo zvakaita panogara vasina kururama, Ndiyo nzvimbo yousingazivi Mwari.

19

Ipapo Jobho akapindura, akati,
Muchatambudza mweya wangu kusvikira rinhiko, Nokundipwanya namashoko enyu here?
Makandituka zvino kagumi; Hamunyari zvamakanditsungirira.
Kana ndichinge ndatadza hangu, Kutadza kwangu kuchagara neni.
Kana imi muchida kwazvo kuzvikudza pamusoro pangu, Nokundipa mhosva muchiti ndakatukwa;
Zivai zvino kuti ndiye Mwari asina kundiruramisa, Akandikomberedza nomumbure wake;
Tarirai ndinochema ndichiti, Ndakaitirwa zvakaipa! Asi handinzwiki; Ndinochema kuti ndibatsirwe, asi handiruramisirwi.
Akadzivira nzira yangu, kuti ndirege kupfuura; Akaisa rima panzira dzangu.
Wakandibvisira kurumbidzwa kwangu, Nokunditorera korona yangu pamusoro wangu.
Akandiputsa kumativi ose, ndakaparadzwa; Akadzura tariro yangu somuti.
Akandimutsirawo kutsamwa kwake, Akati ndiri mumwe wavadzivisi vake.
Hondo dzake dzinondiunganira, dzinozvigadzirira nzira kurwa neni. Dzinokomberedza tende rangu nemisasa yadzo.
Akaisa hama dzangu kure neni, Vazikanwi vangu vava savatorwa chose kwandiri.
Hama dzangu dzandinyengera, Shamwari dzangu, dzaindiziva, dzakandikanganwa.
Vanogara mumba mangu, navarandakadzi vangu vanoti ndiri mubvakure; Vanondiona vachiti ndiri mweni.
Ndinodana muranda wangu, asi haandipinduri, Kunyange ndichimunyengetera nomuromo wangu.
Kufema kwangu kunosemesa mukadzi wangu, Ndinonyangadza vana vamai vangu.
Kunyange navana vaduku vanondishorawo; Kana ndichisimuka, vanondipopotera.
Shamwari dzangu dzose dzaindiziva, dzinondinzvenga, Vose vandaida vandifuratira.
Pfupa rangu rinonamatira ganda rangu nenyama yangu, Ndasiyirwa ganda rameno angu.
Ndinzwirei tsitsi, ndinzwirei tsitsi, imi shamwari dzangu; Nokuti ruoko rwaMwari rwandibata.
Munonditambudzireiko saMwari, Musingaguti nenyama yangu?
Haiwa, dai mashoko angu ainyorwa zvino, Haiwa, dai ainyorwa pabhuku.
Dai aitemwa nepeni yedare nomutobvu Aitemwa padombo nokusingaperi.
Asi ndinoziva kuti Mudzikunuri wangu mupenyu, Uye kuti pakupedzisira uchasimuka panyika;
Kunyange ganda rangu richinge raparadzwa saizvozvo, Kunyange zvakadaro ndichaona Mwari ndine nyama yangu.
Ndichamuona ari kurutivi rwangu; Meso angu achaona, asati ari omutorwa; Itsvo dzangu dzapera mukati mangu.
Kana muchiti, Tichamutambudza sei! Mudzi wemhosva zvauri mukati make!
Ityai munondo; Nokuti kutsamwa kucharohwa nomunondo, Kuti muzive kuti kutonga kuripo.

20

Ipapo Zofari muNaamati akapindura, akati,
Naizvozvo ndangariro dzangu dzinondipindura, Nokuda kwokukurumidza kuri mandiri.
Ndakanzwa kutuka kunondinyadza, Mweya wokunzwisisa kwangu anondipindura.
Hauzivi here kuti kubva kare-kare, Kubva pakuiswa kwomunhu panyika,
Kuti kufara kwavakaipa hakune nguva huru, Nomufaro wavasingadi Mwari kuti ndowechinguva?
Kunyange kukura kwake kukakwirira kusvikira kudenga, Musoro wake ukasvikira kumakore;
Kunyange zvakadaro uchaparara nokusingaperi sendove yake; Vaimuona vachati, Aripiko?
Achabhururuka akaenda sokurota, akasawanikwa; Zvirokwazvo, achadzingwa sechinhu chinoonekwa usiku.
Ziso raimuona haringazomuonizve; Nyangwe nenzvimbo yake haingazomuonizve.
Vana vake vachatsvaka tsitsi kuvarombo, Maoko avo achadzosera fuma yake.
Mapfupa ake azere nesimba roujaya hwake, Asi achavata pasi naye paguruva.
Kunyange kutadza kuchitapira mumuromo make, Kunyange akazvivanza pasi porurimi rwake;
Kunyange akazvichengeta, akaramba kuzvirega, Akaramba akazvichengeta mumuromo make;
Kunyange zvakadaro zvokudya zvake zvinoshandurwa muura hwake, Zvava nduru yemvumbi mukati make.
Wamedza fuma, asi achairutsazve, Mwari achaibudisa mudumbu rake.
Achasveta uturu hwemvumbi; Rurimi rwenyoka ruchamuuraya.
Haangatariri nzizi, Nehova dzizere nouchi namafuta.
Zvaakabatira achazvidzosazve, haangazvimedzi; Haangavi nomufaro wakaenzana nefuma yake yaakawana.
Nokuti akamanikidza nokurasha varombo; Akatora imba nesimba, asi haangaivaki.
Zvaakanga asingazivi kudzikama mukati make, Haangachengeti chinhu chimwe chaakanga achifarira.
Hakune chinhu chakasara chaasina kuparadza; Saka kuguma kwake, hakungarambi kuripo.
Pakati pezvakawanda zvefuma yake achamanikidzwa; Ruoko rwomumwe nomumwe ari panjodzi rucharwa naye.
Kana achida kugutsa dumbu rake, Mwari achatuma kutsamwa kwake kukuru pamusoro pake, Achakunisa pamusoro pake, zvive zvokudya zvake.
Achatiza nhumbi yokurwa yamatare, Uta hwendarira huchamuboora.
Unoivhomora, ikabuda pamuviri wake; Muromo wayo unobwinya, unobuda panduru yake; Anotya kwazvo.
Akachengetererwa rima guru ive fuma yake, Moto usina kupfutidzwa nomunhu uchamuparadza; Uchapedza zvakasara patende rake.
Kudenga-denga kucharatidza zvakaipa zvake, Nyika ichamumukira.
Zvakaunganidzwa mumba make zvichibva, Nhumbi dzake dzichayerera pazuva rokutsamwa kwake.
Ndiwo mugove womunhu akaipa waanopiwa naMwari, Nenhaka yaakatemerwa naMwari.

21

Ipapo Jobho akapindura,, akati,
Inzwai zvakanaka kutaura kwangu; Munyaradzwe nazvo.
Ndiregei, nditaurewo; Kana ndapedza kutaura, mungandiseka henyu.
Kana ndirini, ndinochema kuvanhu here? Ndingaregereiko kupera moyo?
Nditarirei, mushamiswe, Muise ruoko rwenyu pamuromo.
Kunyange ndozvirangarira ndinotambudzika, Kutya kukuru kunobata nyama yangu.
Vakaipa vanoraramireiko, Vachikwegura nokuwedzerwa simba here?
Vana vavo vanosimbiswa pamwechete navo pamberi pavo, Navazukuru vavo vachizviona nameso avo.
Dzimba dzavo dzinorugare, hadzityiswi, Uye shamhu yaMwari haigari ichivarova.
Hando yavo inoberekesa, isingakoni, Mhou yavo inobereka, isingasvodzi.
Vanobudisa pwere dzavo seboka ramakwai; Vana vavo vanotamba.
Vanoimba vachiridzirwa ngoma nembira, Vanofara vachiridzirwa nyere.
Vanopedza mazuva avo vachifara, Vanoburukira kuSheori kamwe-kamwe.
Kunyange zvakadaro vanoti kuna Mwari, Ibvai kwatiri; Nokuti hatidi kuziva nzira dzenyu.
Iye waMasimbaose ndianiko, kuti timushumire? Tichabatsirwa neiko kana tikanyengetera kwaari?
Tarirai, kufara kwavo hakuzi mumaoko avo; Mano avakaipa ari kure neni.
Ko mwenje wavakaipa unodzimwa kangani? Njodzi yavo inovavinga kanganiko? Mwari anovapavhurira kutambudzika pakutsamwa kwake kanganiko?
Vanotongofanana namakoto anodzingwa nemhepo here? Nehundi inotorwa nedutu remhepo?
Imi munoti, Mwari anochengetera vana vake zvakaipa. Ngaamutsive iye amene, azvizive.
Meso ake amene ngaaone kuparadzwa kwake, Iye ngaanwe kutsamwa kwowaMasimbaose.
Nokuti achava nehanya yeiko neimba yake kana aenda, Kana kuwanda kwemwedzi yake kwatapudzwa.
Ndianiko angadzidzisa Mwari kuziva, Zvaari iye anotonga vari kumusoro?
Mumwe anofa achine simba rake rose, Akafara chose anorugare.
Mazamu ake azere nomukaka, Mwongo wamapfupa ake wakanyorova.
Mumwe anofa ane shungu dzomoyo, Asina kutongoravira zvakanaka.
Vanovata pasi pamwechete paguruva, Honye dzinovafukidza vose.
Tarirai ndinoziva kufunga kwenyu, Namano akaipa amunondifungira.
Nokuti munoti, Imba yomuchinda iripiko? Tende raigarwa nowakaipa riripiko?
Hamuna kubvunza here vanofamba nenzira? Hamuzivi zviratidzo zvavo here?
Kuti munhu wakaipa anodarikwa pazuva renjodzi here? Kuti vanobviswa pazuva rokutsamwa here?
Ndianiko angamuzivisa mufambiro wake pachena? Ndiani achamutsiva zvaakaita here?
Zvino anotakurirwa kuhwiro, Vanorinda rinda rake.
Mavhinga omupata achamunakira, Vanhu vose vachamutevera, Sezvaakatungamirirwa navasingaverengwi.
Zvino munondinyaradza sei nezvisina maturo, Zvamasarirwa nenhema dzoga pakupindura kwenyu?

22

Ipapo Erifazi muTemani akapindura, akati,
Ko munhu angabatsira Mwari here? Zvirokwazvo, munhu, akangwara, anozvibatsira hake amene.
waMasimbaose une hanya nokururama kwako here? Iye angabatsirwa nazvo kana iwe ukakwanisa nzira dzako here?
Iye anokuraira zvaunomutya here? Kuti akutonge here?
Zvakaipa zvako hazvizakakura here? Zvisina kururama zvako hazviperi.
Nokuti wakatora rubatso kuhama yako pasina Wakakusunungura nguvo dzavakanga vasina kufuka.
Hauna kupa vane nyota mvura kuti vanwe, Wakanyima vane nzara zvokudya.
Asi munhu ane simba, nyika ndeyake; Munhu anokudzwa, ndiye akagara mairi.
Akadzinga chirikadzi dzisine chinhu, Maoko enherera akavhuniwa.
Saka iwe wakapotedzwa nemisungo, Unovhunduswa pakarepo nokutya.
Nerima, kuti arege kuona, Uye mvura zhinji inokufukidza.
Ko Mwari haazi kudenga kumusoro-soro here? Tarira kukwirira kwenyeredzi, dzakakwirira sei!
Iwe unoti, Mwari unoziveiko? Ungagona kutonga pakati perima guru here?
Makore matema akamufukidza, haagoni kuona; Unofamba pakutenderera kwedenga.
Iwe unoda kuramba uchifamba, nenzira yekare. Yakatsikwa navanhu vakaipa here?
Ivo vakabvutwa nguva yavo isati yasvika; Nheyo dzavo dzakadururwa sorukova rwemvura.
Ivo vakati kuna Mwari, Ibvai kwatiri; Uye, waMasimbaose angatiiteiko?
Kunyange zvakadaro wakazadza dzimba dzavo nezvakanaka; Asi mano avakaipa ari kure neni.
Vakarurama vanozviona, vakafara; Vasine mhosva vanovaseka, .
Vachiti, Zvirokwazvo vakatimukira vakaparadzwa; Zvakasara zvavo zvakapedzwa nomoto.
Shamwaridzana naye zvino, uve norugare; Ipapo uchaitirwa zvakanaka.
Gamuchira hako murairo womuromo wake, Uchengete mashoko ake mumoyo mako.
Kana ukadzokera kuno waMasimbaose, uchavakwa; Kana ukabvisa zvisakarurama kure namatende ako.
Isa fuma yako paguruva, Nendarama yeOfiri pakati pamabwe ehova;
Ipapo waMasimbaose achava fuma yako, Nesirivha inokosha kwazvo kwauri.
Nokuti ipapo uchafarira waMasimbaose, Uchasimudzira chiso chako kuna Mwari.
Uchanyengetera kwaari, iye achakunzwa; Uye acharipa mhiko dzako.
Uchatemawo chirevo, chikasimbiswa kwauri; Uye chiedza chichavhenekera nzira dzako.
Kana vakakusundira pasi, uchati, Ndichasimudzwa; Iye uchaponesa munhu anozvininipisa.
Iye acharwira nyangwe nomunhu ane mhaka, Zvirokwazvo ucharwirwa iye nokuchena kwamaoko ako.

23

Ipapo Jobho akapindura, akati,
Kunyange nanhasi ndinonyunyuta ndine shungu; Kurohwa kwangu kwakanyanya kukunda kugomera kwangu.
Haiwa! Dai ndaiziva kwandingamuwana, Kuti ndisvike ipo pachigaro chake.
Ndairondedzera mhaka yangu pamberi pake, Ndaizadza muromo wangu nenharo.
Ndaiziva mashoko aanopindura nawo, Ndainzwisisa zvaanondiudza.
Angaita nharo neni nesimba rake guru here? Kwete; asi anganditeerera hake.
Apo akarurama angataurirana naye; Kuti ndisunungurwe nokusingaperi pamutongi wangu.
Tarira, ndinopfuura mberi, asi haapo; Uuye shure, asi handimuoni;
Nokuruoko rworuboshwe, kana achibata, asi handigoni kumuona; Anozvivanza paruoko rworudyi, kuti ndirege kumuona.
Nokuti iye anoziva nzira yandinofamba nayo; Kana akandiidza, ndichabuda ndakaita sendarama.
Rutsoka rwangu rwakaramba ruchitsika paakatsika iye; Ndakarambira panzira yake, handina kutsauka.
Handina kudzoka pamurairo wemiromo yake; Ndakachengeta sefuma mashoko omuromo wake kupfuura mugove wezvokudya zvangu.
Asi iye anorangarira chinhu chimwe, ndianiko angamudzora? Zvinoda moyo wake, ndizvo zvaanoita.
Nokuti anoita zvandakatemerwa; Nezvinhu zvizhinji zvakadai zviri kwaari.
Saka ndinotambudzika pamberi pake; Kana ndichimufunga ndinomutya.
Nokuti Mwari akatorera moyo wangu simba, waMasimbaose akandivhundusa.
Nokuti handina kuparadzwa nokuda kwerima, Kana nokuda kwerima guru rakafukidza chiso changu.

24

WaMasimbaose anoregereiko kutara nguva dzokutonga? Vanomuziva vanoregereiko kuona mazuva ake?
Vanoshandura miganho varipo; Vanopamba mapoka amakwai, vachiafudza.
Vanotinha mbongoro yenherera, Vanotora nzombe yechirikadzi vachiita rubatso.
Vanodzinga varombo panzira; Varombo venyika vanovanda vose.
Tarira, sembizi murenje Vanobudira kumabasa avo, vachishingairira zvokwadi; Renje rinovapa zvokudya zvavana vavo.
Vanocheka zvavanodya kusango; Vanounganidza mazambiringa avakaipa.
Vanovata usiku hwose vasina zvavakafuka, Pachando havana chavangazvifukidza nacho.
Vakanyorova nokupfunha kwemvura yamakomo, Vanombundikira dombo nokushaiwa pokutizira.
Varipo vanobvuta nherera pazamu ramai, Nokutora rubatso rwavarombo;
Naizvozvo vanofamba vasina zvavakafuka, Vanotakura zvisote vane nzara;
Vanosvina mafuta mukati mamasvingo avanhu ava; Vanotsika zvisviniro zvamazambiringa avo, vachifa nenyota.
Vanhu vanogomera mukati meguta rina vanhu vazhinji, Uye mweya yavakakuvadzwa inochema; Kunyange zvakadaro Mwari haane hanya nezvisina kururama.
Ndivo vanovenga chiedza; Havazivi nzira dzacho, Havarambi vachifamba pamakwara acho.
Muurayi anomuka kana kwoedza, anouraya murombo neanoshaiwa; Usiku wakafanana nomubi.
Ziso remhombwewo rinomirira rubvunzavaeni, Achiti, Hakune ziso richandiona; Ndokufukidza chiso chake.
Usiku vanopaza dzimba; Masikati vanozvipfigira; Havazivi chiedza.
Nokuti mangwanani akaita serima guru kwavari vose; Nokuti vanoziva kutyisa kwerima guru.
Iye anofambisa pamusoro pemvura; Mugove wavo wakatukwa panyika; Haachafambi nenzira yeminda yemizambiringa.
Kuoma nokupisa kunopedza mvura yechando; Ndizvo zvinoita Sheori navakatadza.
Chizvaro chichamukanganwa; honye dzichatapirirwa Uye kusarurama kuchavhunwa somuti.
Iye unoparadza hana isingabereki; Haaitiri chirikadzi zvakanaka.
Anobvisa vane simba nesimba rake; Kana iye achisimuka, hakuna munhu anoziva kana achararama.
Mwari anovagarisa vakachengetwa, vachivimba nazvo; Asi meso ake anotarira nzira dzavo.
Vanokudzwa; gare-gare vaenda; Vanodukupiswa, vanobviswa panzira savamwe vose, Vanochekwa semisoro yehura dzezviyo.
Kana zvisina kudaro zvino, ndiani angati ndine nhema, Nokushaisa mashoko angu simba here?

25

Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura, akati,
Umambo nokutyisa zvinaye; Iye unoyananisa pamatunhu ake akakwirira.
Hondo dzake dzingaverengwa here? Ndianiko asingavhenekerwi nechiedza chake?
Zvino munhu angava akarurama seiko pamberi paMwari? Nomunhu akazvarwa nomukadzi angava akachena sei?
Tarira, nomwedziwo unoshaiwa kubhinya, Nenyeredzi hadzizakachena kwazvo pamberi pake.
Ndoda munhu, iro gonye! noMwanakomana womunhu, iro gonye!

26

Ipapo Jobho akapindura, akati, kwaari
Iwe wakabatsira sei asine simba! Wakaponesa sei ruoko rusine simba!
Wakapa mano sei asina kungwara, Nokududzira kwazvo zivo yazvokwadi!
Wakataurira aniko mashoko awa? Mweya wakabuda kwauri ndowaaniko?
Vakafa vanodedera Pasi pemvura navagere mukati mayo.
Sheori rakashama pamberi pake, Kuparadza hakune chifukidzo.
Anotatamura rutivi rwokumusoro pasine chiro, Anoturikira nyika pasine chinhu.
Anosungira mvura mumakore ake makobvu; Asi gore haribvaruki nokurema kwayo.
Anofukidza chigaro chake choushe, chirege kuonekwa,
Akatara muganho pamusoro pemvura, Kusvikira pakuparadzana kwechiedza nerima.
Mbiru dzedenga dzinodedera, Nokuvhunduka nokutuka kwake.
Anomutsa gungwa nesimba rake, Nenjere dzake anoparadza Rahabhi.
Denga rinoshongedzwa nomweya wake; Ruoko rwake rwakabaya nyoka inokurumidza.
Tarira, izvi ndiwo mudzivo woga wenzira dzake; Haiwa, tinongonzwa zeve-zeve roga renzwi rake! Asi kutinhira kwesimba rake ndianiko angakunzwisisa?

27

Ipapo Jobho akapfuura nokutaura kwake, akati,
NaMwari mupenyu, iye akanditorera kururama kwangu; NowaMasimbaose akatambudza mweya wangu;
(Nokuti upenyu hwangu huchiri mandiri chose, Nomweya waMwari uchiri mumhino dzangu;)
Zvirokwazvo miromo yangu haingatauri zvisakarurama, Uye rurimi rwangu harungarevi zvinonyengera.
Mwari ngaandidzivise ndirege kukururamisirai; Kusvikira parufu rwangu handingarashi kusanyengera kwangu.
Ndinobatisa kururama kwangu, handingakuregi; moyo wangu haungandipi mhaka ndichiri mupenyu.
Muvengi wangu ngaaite sewakaipa. Uye anondimukira ngaaite seasina kururama.
Nokuti asingadi Mwari ane tariro yeiko, kunyange azviwanira fuma, Kana atorerwa mweya wake naMwari here?
Ko Mwari achanzwa kuchema kwake, Kana achiwirwa nenjodzi here?
Ko iye achafarira waMasimbaose, Nokudana kuna Mwari nguva dzose here?
Ini ndichakudzidzisai zvoruoko rwaMwari; Izvo zvina waMasimbaose handingazvivanzi.
Tarirai imi mose makazviona henyu; Zvino makagova vanhu vasina maturo chose neiko?
Ndiwo mugove unopiwa munhu akaipa naMwari, Nemhaka yavamanikidzi, yavanopiwa nowaMasimbaose.
Kana vana vake vachiwanda, vourawa nomunondo; Vana vake havangaguti zvokudya.
Vana vake, vakasara, vachavigwa vafa, Chirikadzi dzake hadzingachemi.
Kunyange akaunganidza sirivha ikaita seguruva, Nokugadzira zvokufuka zvikaita sevhu;
Angazvigadzira hake iye, asi akarurama ndiye achazvifuka; Asine mhosva ndiye achagovera sirivha.
Anovaka imba yake sechivhundudzi, Sechirindo chinoitwa nomurindi.
Anovata pasi akafuma, asi haapamhidzizve; Anosvinudza meso ake, asi haachipo.
Zvinotyisa zvinomubata semvura zhinji; dutu remhepo rinomubvuta usiku.
Mhepo inobva mabvazuva inomutora ndokuenda hake; Inomutsvaira panzvimbo yake.
Mwari achamuposha, asingamunzwiri tsitsi, Unoidza kutiza paruoko rwake.
Vanhu vacharovana maoko pamusoro pake, Vachamuridzira muridzo abve panzvimbo yake.

28

Nokuti mugodhi uripo panobva sirivha, Nzvimbo iripo pavanonatsa ndarama.
Mhangura inocherwa pasi, Nendarira inonyauswa pabwe.
Munhu anokunda rima, Anotsvakisisa kusvikira kumativi ose-ose. Mabwe ari murima guru nomumumvuri worufu.
Anochera mugodhi kure napanogara vanhu; Vanokanganikwa norutsoka rwavanopfuura; Vanorembera kure navanhu, vachizeya uku nokuku.
Kana iri nyika, zvokudya zvinobva mairi; Pasi pazvo pakashandurwa zvinenge nomoto.
Pamabwe ayo ndipo panogara zvibwe zesafiro, Ano upfu hwendarama.
Nzira iyo haizikanwi negondo, Ziso rorukodzi harina kuiona;
Zvikara, zvinozvikudza, hazvina kupfuura napo. Shumba, ine hasha, haina kupfuura napo.
Iye anotema dombo romusarasara noruoko rwake; Anoshandukura makomo nemidzi yawo.
Anochera mugero pamatombo; Ziso rake rinoona zvinokosha.
Anodzivira nzizi dzemvura dzirege kudonha; Chinhu chakavanzika anochibudisa pachena.
Asi uchenjeri huchawanikwepiko? Kunzwisisa kunogarepi?
Munhu haazivi mutengo wahwo; Hauwanikwi panyika yavapenyu.
Pakadzika panoti, Hauzi mandiri; Negungwa rinoti, Hauzi mandiri.
Haungatengwi nendarama, Nyangwe nesirivha haingaidzirwi mutengo wawo.
Haungaenzaniswi nendarama yeOfiri, Kana nezvibwe zveonikisi inokosha kana zvesafiro.
Ndarama negirazi hazvingaenzani nahwo; Zvishongo zvendarama yakaisvonaka hazvingatsinhaniswi nahwo.
Korari nemapere hazvingatongorebwi; Zvirokwazvo mutengo wouchenjeri unopfuura matombo akatsvuka.
Topazi yeItiopia haingaenzani nahwo, Haungaenzaniswi nendarama yakaisvonaka.
Zvino huchenjeri unobvepiko? Kunzwisisa kunogarepi?
Zvahwakavanzirwa meso avapenyu vose, Nokudzitirirwa shiri dzokudenga.
Kuparadza noRufu zvinoti, Takanzwa guhu rahwo panzeve dzedu.
Mwari anonzwisisa nzira yahwo, Ndiye anoziva kwahunobva.
Nokuti anotarira kumigumo yenyika, anoona, zvose pasi pokudenga pose;
Panguva yaanotarira mhepo kurema kwayo; Zvirokwazvo, anoyera mvura nechiyero
Panguva yaakatemera mvura chirevo, Nemheni yomutinhiro nzira yayo.
Panguva iyo akahuona, akahududzira; Akahusimbisa, nokuhunzvera.
Akaudza munhu achiti, Tarira, kutya Ishe, ndihwo uchenjeri. Kurega zvakaipa ndiko kunzwisisa.

29

Zvino Jobho akapfuurazve namashoko ake, akati,
Haiwa, dai ndaiita hangu sapamwedzi yakare, Sapamazuva andairindwa naMwari;
Panguva iyo mwenje wake waivhenekera pamusoro wangu, Ndaifamba ndichivhenekerwa parima nechiedza chake;
Sezvandakanga ndakaita pamazuva okusimba kwangu, Panguva iyo hushamwari hwaMwari huchiri patende rangu;
Panguva iyo waMasimbaose achiri neni, Navana vangu vachakandipoteredza;
Panguva iyo pandaitsika paisukwa nomukaka wakafa, Uye dombo raindidururira nzizi dzamafuta!
Panguva yandaibuda kusuo reguta, Panguva yandaigadzira chigaro changu padare,
Majaya akati achindiona aivanda, Navatana vaisimuka vakaramba vamire;
Machinda ainyarara pakutaura kwawo, Aifumbira miromo yawo;
manzwi avakuru ainyarara, Ndimi dzavo dzainamatira mumikanwa yavo.
Nokuti nzeve yakati ichindinzwa, ndokundiropafadza; Ziso rakati richindiona, ndokundipupurira zvakanaka.
Nokuti ndairwira varombo vaichema, Nenhererawo, nowaishaiwa mubatsiri.
Aikarofa aindiropafadza; Ndaiimbisa moyo wechirikadzi nomufaro.
Ini ndaifuka kururama, naiko kwaindifukidza; Kururama kwangu kwaiva senguvo nekorona.
Ndaiva meso amapofu, Netsoka dzavanokamhina.
Ndaiva baba vavaishaiwa; Ndainzvera mhaka yowandakanga ndisingazivi.
Ndaivhuna meno avasina kururama, Nokubvuta chaakanga auraya mumeno ake.
Panguva iyo ndakati, Ndichafira mudendere rangu, Ndichawanza mazuva angu aite sejecha,
Mudzi wangu wakatandavarira kusvikira kumvura, Dova rinovata usiku hwose padavi rangu.
Kukudzwa kwangu kunoramba kuri kutsva, Uta hwangu hunoramba uchivandudzwa muruoko rwangu.
Vanhu vainditeerera nokundimirira, Vainyarara kana ndichivaraira.
Havazaitaurazve kana ini ndareva mashoko angu; Kutaura kwangu kwakadonhera pamusoro pavo.
Vaindimirira somunhu anomirira mvura; Vaishamisa miromo yavo sevanoshamira mvura yokupedzisira.
Ndaivasekerera kana vasingatsungi; Havana kudzima chiedza chechiso changu.
Ndaivasanangurira nzira yavo, ndikagara sashe wavo, Ndaigara samambo pahondo, Somunhu anonyaradza vanochema.

30

Asi zvino vaduku kwandiri vanondiseka, Ivo vandaishovora kuisa madzibaba avo pambwa dzamapoka angu.
Simba ramaoko avo ringandibatsireiko? Ivo vakapererwa nesimba kwazvo.
Vaonda nokushaiwa nenzara; Vanotetena ivhu rakaoma murima ramatangwaza nokuparadzwa.
Vanotanha zvinovava pamakwenzi; Midzi yomurara ndizvo zvokudya zvavo.
Vanodzingwa pakati pavanhu; Vanovashoverera sembavha.
Vanofanira kugara pamipata yakasviba, Pamakomba enyika namatombo.
Vanorira pakati pamakwenzi; Vanounganira pasi porukato.
Ndivo vana vamapenzi, zvirokwazvo vana vavanhu vakaipa; Vakadzingwa panyika vachirohwa.
Zvino ndava chiimbo chavo, Ndava shumo yavo.
Vanondisema, vanomira kure neni, Havaregi kupfira mate pachiso changu.
Nokuti iye akasunungura rukungiso rwake akanditambudza; Vakarasha tomu pamberi pangu.
Vasina maturo vanosimuka kurudyi rwangu; Vanosundira makumbo angu, Vanozvigadzirira nzira dzavo kundiparadza.
Vanoparadza nzira yangu, Vanowedzera njodzi yangu, Ivo vanhu vasina mubatsiri.
Vanouya vakafanana navanopinda pakakoromoka pakuru; Vanomhanyira kwandiri pakati pamasvingo akakoromoka.
Zvinotyisa zvandivinga, Vanodzinga kukudzwa kwangu semhepo; Kufara kwangu kwapfuura segore.
Zvino mweya wangu wadururwa mukati mangu; Mazuva enjodzi andibata.
Panguva yousiku mapfupa angu anoururwa mukati mangu, Uye zvinondibaya hazvizorori.
Nesimba rake guru nguvo yangu yachinyikara; Rinondisunga sehuro dzejasi rangu.
Iye akandiwisira mumatope, Ndava seguruva nedota.
Ndinochema kwamuri, asi hamundidaviri; Ndimire, asi munongonditarira.
Mashanduka hamune tsitsi neni; Munonditambudza nesimba roruoko rwenyu.
Munondisimudza nemhepo, munonditasvisa pamusoro payo; Munondinyangarisa mudutu remhepo.
Nokuti ndinoziva kuti muchandiisa kurufu, Nokuimba yakatarirwa vapenyu vose.
Ko munhu, anonyura, haangatambanudzi ruoko here; Pakutambudzika kwake haangaridzi mhere here?
Ko handina kuchema akanga ari panjodzi here? Mweya wangu wakanga usine shungu pamusoro powaishaiwa here?
Ndakati ndichitarira zvakanaka zvakaipa zvikasvika, Ndakati ndichimirira chiedza, rima ndokusvika.
Ura hwangu hunovira, hauzorori; Mazuva okutambudzika andivinga.
Ndinochema ndisina mushana; Ndinosimuka pakati peungano, ndichichema kubatsirwa.
Ndava hama yamakava, Neshamwari yemhou shiri.
Ganda rangu rasviba, rinokwatuka kwandiri; Mapfupa angu atsva nokupisa.
Naizvozvo mbira dzangu dzashanduka kuchema, Uye nyere yangu rava inzwi ravanochema misodzi.

31

Ndakaita sungano nameso angu, Zvino ndingatarira musikana seiko?
Nokuti mugove waMwari unobva kumusoro ndoweiko, Nemhaka yowaMasimbaose inobva kudenga ndeyeiko?
Ko haizi njodzi kuna vasina kururama here, Nokuparadzwa kuna vaiti vezvakaipa here?
Ko iye haaoni nzira dzangu, Nokuverenga nhambwe dzangu dzose here?
Kana ndichinge ndafamba nenzira isina maturo, Norutsoka rwangu rwamhanyira zvinonyengera;
(Ngandiidzwe pachiyero chakarurama, Kuti Mwari azive kusanyengera kwangu;)
Kana kutsika kwangu kuchinge kwatsauka panzira, Nomoyo wangu ukatevera meso angu, Kana gwapa richinge ranamatira pamaoko angu;
Ipapo ini ndidzvare hangu, asi mumwe ngaadye; Zvibereko zvomunda wangu ngazvidzurwe.
Kana moyo wangu uchinge wanyengerwa nomukadzi, kana ndavandira pamukova wowandaigara naye;
Ipapo mukadzi wangu ngaakuyire mumwe, Navamwe ngavakotamire pamusoro pake.
Nokuti chinhu icho chivi chakashata, Zvirokwazvo, chinhu chakaipa chinofanira kurohwa navatongi.
Nokuti ndiwo moto unopedza kusvikira pakuparadza, Ungadzura zvibereko zvangu zvose.
Kana ndichinge ndazvidza mhaka yomuranda wangu kana murandakadzi wangu, Panguva yavakaita nharo neni;
Ndichaiteiko kana Mwari akasimuka? Kana akandivinga, ndingapindurei kwaari?
Akandiita mudumbu ramai haazi iye akamuitawo here? Ko haazi mumwe akatiumba isu tose mudumbu ramai here?
Kana ndichinge ndanyima varombo zvavakakumbira, Kana kushaisa meso echirikadzi;
Kana ndichinge ndadya chimedu changu ndiri ndoga, Nherera ikasadyawo;
(Kwete, kubva paujaya hwangu yakakurira kwandiri ndikaita sababa vayo, Ndaiva muperekedzi wayo kubva padumbu ramai vangu;)
Kana ndichinge ndaona munhu achiparara nokushaiwa nguvo, Kana anoshaiwa asina chokufuka;
Kana chiuno chake chisina kundivonga, Kana asina kudziyirwa nemvere dzamakwai angu;
Kana ndichinge ndasimudzira nherera ruoko rwangu, Nokuti ndakaona kuti ndichabatsirwa pasuo;
Ipapo fudzi rangu ngaribve pabendekete, Ruoko rwangu ngaruvhunike papfupa.
Nokuti njodzi inobva kuna Mwari yakandityisa, Ndakakoniwa kuita chinhu nokuda kwoumambo hwake.
Kana ndichinge ndavimba nendarama ikava tariro yangu Ndikati kundarama yakaisvonaka, Ndinovimba newe.
Kana ndichinge ndakafara nokuti fuma yangu yakanga yawanda, Uye nokuti ruoko rwangu rwakanga rwawana zvizhinji;
Kana ndichinge ndaona kubwinya kwezuva, Kana mwedzi uchifamba wakachena;
moyo wangu ukanyengerwa pakavanda, Muromo wangu ukatsvoda ruoko rwangu;
Nechinhu ichowo chaiva chaipa chinofanira kurohwa navatongi; Nokuti ndinenge ndaramba Mwari ari kumusoro.
Kana ndichinge ndafarira kuparadzwa kwomuvengi wangu, Kana kuzvikudza panguva yaakavingwa nezvakaipa;
(Zvirokwazvo handina kutendera muromo wangu kutadza, Ndichikumbira nokupanjira kuti afe;)
Kana vanhu vetende rangu vasina kutaura, vachiti, Ndianiko angawana munhu usina kugutiswa nenyama yake?
Mweni haana kuvata vusiku panzira dzomumusha; Asi ndaizarurira mufambi mikova yangu;
dai ndaifukidza kudarika kwangu saAdhama, Ndichivanza zvakaipa zvangu pachipfuva changu;
Zvandaitya vanhu vazhinji, Ndikavhunduswa nokushorwa namapoka avanhu, Ndikanyarara, ndikasabuda pamukova,
Haiwa, dai ndaiva nomunhu anondinzwa! (Tarirai, ndirwo runyoro rwangu, waMasimbaose ngaandipindure;) dai ndaiva norugwaro rwakanyorwa nomudzivisi wangu!
Zvirokwazvo, ndairutakura pafudzi rangu; Ndairudzika pamusoro wangu sekorona.
Ndaimududzira kuwanda kwenhambwe dzangu; Ndaiswedera kwaari somuchinda.
Kana munda wangu ukadanidzira kwandiri, uchindipa mhosva, Nemihoronga yawo ikachema yose;
Kana ndichinge ndadya zvibereko zvawo ndisina kutenga, Kana ndichinge ndarashisa varidzi vawo upenyu hwavo;
Ipapo hutumbambeva ngahumerepo panzvimbo yezviyo, Nesora panzvimbo yebhari. Mashoko aJobho apera.

32

Zvino varume ava vatatu vakarega kupindura Jobho, nokuti akati ndakarurama hangu.
Ipapo Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, weimba yaRami, akatsamwa kwazvo; akatsamwira Jobho kwazvo, nokuti akanga azviruramisa kupfuura Mwari.
Akatsamwirawo kwazvo shamwari dzake nhatu, nokuti vakanga vashaiwa mhinduro, kunyange zvakadaro vakanga vapa havo Jobho mhosva.
Zvino Erihu akanga amirira kutaura naJobho, nokuti ivo vaiva vakuru kwaari pazero.
Zvino Erihu akati achiona kuti hapene mhinduro pamiromo yavanhu ava vatatu, iye akatsamwa kwazvo. Makore mazhinji haauyisi uchenjeri, asi Mweya waMwari
Zvino Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi wakapindura, akati, Ini ndiri muduku, asi imi mava vakuru kwazvo; Saka ndakazvidzora hangu, ndikatya kukuzivisai kufunga kwangu.
Ndakati, Vana mazuva mazhinji ngavataure havo, Vana makore mazhinji ngavadzidzise vamwe uchenjeri.
Asi mweya uripo pamunhu, Kufuridzira kwowaMasimbaose kunovapa kunzwisisa.
Havazi vakuru vakachenjera, Kana vatana vanonzwisisa kururamisira.
Saka ndakati, Chindinzwai; Neniwo ndichakuzivisai kufunga kwangu.
Tarirai, ndakambomirira mashoko Ndakateerera kuti ndinzwe nharo dzenyu, Nguva yamakatsvaka zvamungataura.
Zvirokwazvo, ndakakucherekedzai, Asi tarirai, hakuna munhu akapwisa Jobho. Kana akapindura mashoko ake pakati penyu.
Chenjerai, murege kuti, Takawana huchenjeri; Mwari ndiye angamukunda, asi munhu kwete;
Nokuti haana kutaura mashoko ake kwandiri; Neni handingamupinduri iye nokutaura kwenyu.
Vashamiswa, havachapinduri; Havachine shoko ravangataura.
Ko ini ndingamirira, zvavasingatauri ivo, Zvavanoramba vamire, vasina chavangapindura here?
Neniwo ndichapindura padzoro rangu, Neniwo ndichazivisa kufunga kwangu.
Nokuti ndizere namashoko; Mweya, uri mukati mangu, unondimanikidza.
Tarirai, mukati mangu makafanana newaini isina pokubuda napo; Zvakafanana nehombodo itsva dzinokaroparuka.
Ndichataura, kuti ndiremudzwe, Ndichashamisa miromo yangu ndipindure.
Ndirege hangu kutsaura munhu upi noupi; Uye handingatumidzi ani nani mazita anobata kumeso.
Nokuti handizivi kutumidza mazita anobata kumeso; Zvimwe Muiti wangu angakurumidza kundibvisa.

33

Asi Jobho, chidonzwai henyu kutaura kwangu, Teererai mashoko angu ose.
Tarirai zvino, ndashamisa muromo wangu, Rurimi rwangu rwataura mumuromo wangu,
Mashoko angu achadudzira kururama kwomoyo wangu; Miromo yangu ichataura izvo zvainoziva nezvokwadi.
Mweya waMwari wakandiita, Kufuridzira kwowaMasimbaose kunondipa upenyu.
Kana mukagona, chindipindurai henyu; Gadzirai mashoko enyu pamberi pangu, simukai henyu.
Rairai, ini ndakafanana nemi pamberi paMwari; Neniwo ndakaumbwa nevhu.
Tarirai, kutyisa kwangu hakungakutyisiyi imi, Uye handingakuremedziyi.
Zvirokwazvo, makataura ini ndichizvinzwa, Ndakanzwa inzwi ramashoko enyu, richiti,
Ndakanaka, handina kudarika; Handine mhosva, hapana zvakaipa mukati mangu;
Tarirai, iye unowana mhosva kuti arwe neni, Anonditi muvengi wake.
Anomana makumbo angu mumatanda, Anocherekedza nzira dzangu dzose.
Tarirai, ndichakupindurai, pachinhu ichi hamuna kururama, Nokuti Mwari mukuru kupfuura munhu.
Munorwireiko naye? Nokuti haazvidaviriri pamashoko ake ose.
Nokuti Mwari anotaura kamwechete, Kana kaviri, asi munhu haane hanya nazvo.
Pakurota, kana pane zvinoonekwa usiku, Kana munhu abatwa nehope kwazvo, Kana avete panhovo;
Ipapo unodziura nzeve dzavanhu, Nokusimbisa kurairwa kwavo,
Kuti adzore munhu pakuvavarira zvakaipa, Nokuvanzira munhu kuzvikudza;
Kuti adzore mweya wake pagomba. Upenyu hwake hurege kuparadzwa nomunondo.
Unorangwawo achirwadziwa panhovo yake, Nokutambudzika nguva dzose mumapfupa ake;
Naizvozvo hupenyu hwake hunosema zvokudya, Nomoyo wake zvokudya zvinonaka.
Nyama yake inopedzwa, haichaonekwi, Mapfupa ake, akanga asingaonekwi, anobudira kunze.
Zvirokwazvo mweya wake unoswedera kugomba, Nohupenyu hwake kuvaparadzi.
Kana mutumwa akasvika kwaari, Ari mushanduri, mumwe pakati pavane zviuru zvamazana, Kuti aratidze munhu nzira yakarurama;
Mwari akamunzwira tsitsi, akati, Murwirei arege kuburukira kugomba, Ndawana dzikunuro.
Nyama yake ichava itsva kupfuura yomwana; Achadzokera kumazuva ouduku hwake.
Anonyengetera kuna Mwari, iye achimufarira; Naizvozvo anotarira chiso chake nomufaro; Akadzosera munhu kururama kwake.
Uchaimba pamberi pavanhu, achiti, Ndatadza, ndakanganisa zvakarurama, Asi hazvina kundibatsira;
Iye akarwira mweya wangu urege kuburukira kugomba, Hupenyu hwangu huchaona chiedza.
Tarirai, Mwari unoita zvinhu izvi zvose, Kaviri kana katatu nomunhu,
Kuti adzose mweya wake pagomba, Kuti avhenekerwe nechiedza chavapenyu.
Cherekedzai zvakanaka, Jobho, mundinzwei; Nyararai, ini nditaure.
Kana mune shoko rokureva, ndipindur ei, Taurai, nokuti ndinoda kukururamisirai.
Kana musingadi, nditeererei; Nyararai, ini ndikudzidzisei huchenjeri.

34

Ipapo Erihu akapindura, akati,
Inzwai mashoko angu, imi vanhu vakachenjera; Rerekai nzeve dzenyu kwandiri, imi mune zivo.
Nokuti nzeve ndiyo inoidza mashoko, Sezvinoravira mukanwa zvokudya.
Ngatizvitsanangurire zvakarurama; Ngatizive tose kuti zvakanaka ndezvipi.
Nokuti Jobho akati, Ndakarurama, Asi Mwari akanditorera kururama kwangu;
Kunyange ndakarurama hangu, ndinonzi ndine nhema; Pandakakuvadzwa hapangapori, kunyange ndisina kudarika.
Ndianiko akafanana naJobho, Anonwa kushorwa semvura?
Anofambidzana navanoita zvakaipa, Anofamba navanhu vakashata.
Nokuti iye akati, Munhu haatongobatsirwi, Kana achifarira Mwari.
Saka chindinzwai, imi varume venjere, Mwari haangatongoiti zvisakarurama; waMasimbaose haangatongoiti zvakaipa.
Nokuti acharipira munhu sezvaakabata, Achapa mumwe nomumwe sezvaakafanirwa.
Zvirokwazvo, Mwari haangaiti zvakaipa, waMasimbaose haangakanganisi pakutonga.
Ndianiko akamuita murairi wenyika? Ndianiko akamupa nyika yose?
Kana akadzosera moyo wake kwaari, Kana akadzosera kwaari mweya wake nokufema kwake;
papo vanhu vose vachaparara pamwechete, Munhu akadzokerazve kuguruva.
Zvino kana mukagona kunzwisisa, inzwai shoko iri, Teererai inzwi ramashoko angu.
Ko munhu, anovenga zvakarurama, angabata ushe here? Mungapa mhosva munhu akarurama, ane simba here?
Ko zvakanaka kuti kuna mambo, Makashata? Kana kuvakuru, Muri vakaipa here?
Ndoda kumunhu asingakudzi machinda, Asingatsauri vafumi kupfuura varombo. Nokuti ivo vose ndiro basa ramaoko ake.
Vanofa kamwe-kamwe pakati pousiku; Vanhu vanozozununguswa ndokuparara havo, Vane simba vanobviswa zvingaitwa noruoko.
Nokuti meso ake anotarira nzira dzomunhu, Unoona kufamba kwake kwose.
Hapana rima kana mumvuri worufu, Pangavanda vanoita zvakaipa.
Nokuti haachafaniri kurangarira munhu, Kuti atongwe pamberi paMwari.
Anoparadza vanhu vane simba asinganzveri, Ndokugadza vamwe panzvimbo yavo.
Saka anocherekedza mabasa avo; Unovaparadza usiku, vakapwanyiwa.
Anovarova sezvinorohwa vanhu vakaipa Vamwe vose vachizviona pachena;
Nokuti vakatsauka pakumutevera, Vakasava nehanya nenzira dzake dzose;
Naizvozvo vakasvitsa kuchema kwavarombo kwaari, Akanzwa kuchema kwavakatambudzwa.
Kana iye akazorodza, ndianiko ungapa mhosva? Kana akavanza chiso chake, ndianiko angazomuona? Kana zvichitarirwa rudzi kana munhu mumwe, zvakafanana hazvo;
Kuti munhu asakarurama arege kubata ushe, Kuti kurege kuva nomunhu achateya vanhu.
Nokuti kunomunhu here akati kuna Mwari, Ndarangwa hangu, kunyange ndisina kutadza?
Ndidzidzisei zvandisingaoni; Kana ndichinge ndaita zvakaipa, handingazviitizve?
Ko iye achatsiva sezvaunoda iwe, zvaunozviramba here? Nokuti ndiwe unofanira kutsanangura, handizini; Saka chitaura zvaunoziva.
Vanhu vane njere vachati kwandiri, Uye vose vakachenjera, vanondinzwa, vachati,
Jobho anotaura zvaasingazivi, Mashoko ake haano uchenjeri.
Dai Jobho aiidzwa kusvikira pakupedzisira, Zvaakapindura savanhu vakaipa.
Nokuti anowedzera kumukira Mwari pazvivi zvake, Anorova namaoko ake pakati pedu, Achiwanza mashoko ake anorwa naMwari.

35

Zvino Erihu akapindurawo, akati,
Munoti ndiko kururama kwenyu here. Munoti, kururama kwangu kunopfuura kwaMwari?
Zvamunoti, Muchabatsirweiko nazvo? Ndichawaneiko, zvingapfuura zvandingawana kana ndatadza hangu?
Ndichakupindurai, Pamwechete neshamwari dzenyu.
Tarirai kudenga-denga, muone; Tarirai makore okudenga akakwirira kupfuura imi.
Kana muchinge matadza, ko mungamuitei iye? Kana kudarika kwenyu kuchinge kwakawanda, ko mungamuitei?
Kana makarurama, mungamupeiko? Kana iye uchapiweiko paruoko rwenyu?
Kuipa kwenyu kungatadzira munhu akaita semi, Kururama kwenyu kungabatsira mwanakomana womunhu.
Vanhu vanoridza mhere nokuda kwokumanikidza kwakawanda; Vanoridza mhere kuti varwirwe paruoko rwoane simba.
Asi hapana anoti, Mwari Muiti wangu aripiko? Iye anotiimbisa usiku;
Iye anotidzidzisa kupfuura shiri dzokudenga? Anotiita vakachenjera kupfuura shiri dzokudenga?
Ipapo vanochema, asi hapana anopindura, Nokuda kwokuzvikudza kwavanhu vakaipa.
Zvirokwazvo Mwari haanganzwi zvisina maturo, waMasimbaose haangavi nehanya nazvo.
Ndoda kana muchiti, handimuoni; Mhosva iri pamberi pake, chimumirirai henyu!
Asi zvino, zvaasina kutsiva pakutsamwa kwake, Kana kusava nehanya zvikuru nokuzvikudza;
Naizvozvo Jobho woshamisa muromo wake achireva zvisina maturo; Wowanza mashoko asingazivi.

36

Erihu akapfuurawo, akati,
Nditenderei henyu zvishoma, ndikuratidzei; Nokuti ndichine zvimwe zvandinoda kutaura pamusoro paMwari.
Ndichatora zivo yangu kure, Ndicharatidza kuti Muiti wangu akarurama.
Nokuti zvirokwazvo, mashoko angu haane nhema; Mumwe akakwana pazivo unemi.
Tarirai, Mwari ane simba, asi haashori munhu; Imhare pasimba renjere.
Haachengeti upenyu hwavakaipa; Asi anoruramisira vanotambudzika.
Haaregi kutarira vakarurama nameso ake; Asi anovagarisa pachigaro choushe pamwechete namadzimambo, Anovagarisa nokusingaperi, vachikudzwa.
Asi kana vachinge vasungwa namaketani, Kana kubatwa namabote okutambudzika;
Ipapo unovazivisa mabasa avo, Nokudarika kwavo, kuti vakafamba vachizvikudza.
Unodziurawo nzeve dzavo vanzwe kuraira kwake, Unovaraira kuti vadzoke pazvakaipa zvavo.
Kana vakamunzwa nokumushumira, Vachapedzisa mazuva avo vachifara, Namakore avo vari pane zvinofadza.
Asi kana vakaramba kuteerera, vachapera nomunondo, Vachafa vasina zivo.
Asi vasingadi Mwari pamoyo vanozviunganidzira kutsamwa; Havaridzi mhere kuti vabatsirwe kana achivasunga.
Vanofa vachiri vaduku, Hupenyu hwavo hunopera sohwavasina kururama.
Anorwira anotambudzika pakutambudzika kwake, Unodziura nzeve dzavo pakumanikidzwa kwavo.
Zvirokwazvo, akanga achida kukubvisai panjodzi Kukusvitsai panzvimbo yakafara, pasina kumanikana; Kuti zvinoiswa patafura yenyu zvive zvizere namafuta.
Asi imi muzere nokutonga vakaipa; Kutonga nokururamisira zvinokubatai.
Nokuti chenjerai kuti kutsamwa kurege kukusvitsai pakudadira; ukuru hwedzikunuro hurege kukutsausai.
Ko fuma yenyu ingaringana, kuti murege kutambudzika here, Uye simba renyu rose-rose here?
Musashuva usiku apo ndudzi dzinobviswa panzvimbo yadzo.
Chenjerai, regai kurangarira zvakaipa; Nokuti ndizvo zvamakasanangura kupfuura kutambudzika.
Tarirai, Mwari anoita zvinhu zvikuru nesimba rake; Ndianiko mudzidzisi wakafanana naye?
Ndianiko akamuraira nzira yake? Kana ndianiko angati, Makaita zvisina kururama here?
Rangarirai, kuti murumbidze basa rake, Rakaimbwa navanhu.
Vanhu vose vakaritarira; Vanhu vanoriona vari kure.
Tarirai, Mwari mukuru; asi isu hatimuzivi; Kuwanda kwamakore ake hakunganzverwi.
Nokuti anokwevera kumusoro madonhedza emvura, Anoshanduka mvura inonaya ichibva pamwando wawo;
Inodururwa namakore Ichidonhera yawanda pamusoro pavanhu.
Ko kuno munhu anganzwisisa kudhadhanurwa kwamakore, Nokutinhira kwetende rake here?
Tarirai, unodhadhanura chiedza chake kunhivi dzake dzose; Unofukidza pasi pegungwa.
Nokuti naizvozvi anotonga ndudzi dzavanhu; Anovapa zvokudya zvizhinji.
Anofukidza maoko ake nemheni; Nokuiraira kuti irove payakaratidzwa.
Mubvumo wayo unomuzivisa, Nemombewo dzinonzwa kuti unouya.

37

Zvirokwazvo moyo wangu unobvunduswawo pamusoro paizvozvi, Uchibviswa panzvimbo yawo.
Teererai kutinhira kwenzwi rake, Nokuwunga kunobva pamuromo wake.
Anokutuma pasi pedenga rose, pamagumisiro enyika.
Inoteverwa nenzwi rinodzvova, Anotinhira nenzwi roumambo hwake. Haazvidzivisi kana inzwi rake richinzwika.
Mwari anotinhira nenzwi rake rinoshamisa; Anoita zvinhu zvikuru zvatisingagoni kunzwisisa.
Nokuti anoti kuchando, Chiwira panyika; Saizvozvowo kumvura inopfunha-pfunha, Uyewo kumvura inoturuka nesimba.
Anodzivisa ruoko rwomunhu mumwe nomumwe, Kuti vanhu vose vaakaita vamuzive.
Panguva iyo zvikara zvinondovanda, Zvichirambira mumapako azvo.
Dutu remhepo rinobuda pakamuri rezasi; Nechando kurutivi rwokumusoro.
Mazaya echando anopiwa vanhu nomweya waMwa Uye mvura mhami inogwamba.
Anozadza makore matema nomwando, Anodhadhanura gore rine mheni yake.
Rinotendeudzwa nokufambisa kwake, Kuti zviite zvose zvaanozviraira Panyika inogarwa navanhu;
Anoituma kuti zvimwe ive shamhu, zvimwe ifadze nyika yake, zvimwe iratidze tsitsi yake.
Teererai shoko iri, nhasi Jobho; Chimbomirai murangarire mabasa anoshamisa aMwari.
Ko munoziva marairirwo azvo naMwari here, Nokupenyiswa kwemheni yegore rake here?
Munoziva maturikirwo amakore here, Namabasa anoshamisa aiye akakwana pazivo here?
Munonzwisisa madziyiro enguvo dzenyu, Kana nyika yakagadzikana nemhepo inobva zasi here?
Ko mungagona kudhadhanura denga pamwechete naye, Iro rakasimba sechioni-oni chakaumbwa here?
Tidzidzisei zvatingareva kwaari; Nokuti hatigoni kunyatsoreva nemhaka yerima.
Ko iye anofanira kuudzwa kuti ndinoda kutaura here? Kana ndianiko munhu anoda kumedzwa?
Zvino vanhu havagoni kutarira chiedza chinopenya kudenga; Asi mhepo ichapfuura, ndokurinatsa.
Kunaka sokwendarama kunobva kurutivi rwokumusoro; Mwari ano humambo hunotyisa kwazvo.
Kana ari waMasimbaose, hatigoni kumunzwisisa; ane simba guru-guru; Haangatambudzi pakutonga nokururama kukuru.
Saka vanhu vanomutya; Haane hanya navane moyo yakachenjera.

38

Ipapo Jehovha akapindura Jobho, ari pachamupupuri, akati,
Ndianiko uya anodzima zano rangu achiriita rima Namashoko asine zivo here?
Chizvisunga chiuno chako zvino somurume; Nokuti ndichakubvunzisisa, iwe undidudzire.
Iwe wakanga uripiko panguva yandakateya nheyo dzenyika? Chidudzira, kana une zivo iwe.
Ndianiko akatara kukura kwayo, kana uchizviziva? Kana ndianiko akaiyera norwonzi?
Ko nheyo dzayo dzakateyiwa pamusoro pei? Kana ndianiko akateya ibwe rayo rekona?
Panguva yakaimba nyeredzi dzamambakwedza pamawa, Uye vanakomana vose vaMwari vachipururudza nomufaro?
Kana ndianiko wakadzivira gungwa nemikova, Panguva yokudzutuka kwaro, richibuda pachizvaro;
Panguva yandakaita gore nenguva yaro, Uye rima guru uve mucheka wokuriputira nawo;
Panguva.yandakaritarira muganho waro, Ndikariisira mazariro nemikova,
Ndikati, Ungasvikira pano, asi haungapfuvuri; Mafungu ako, anozvikudza, achadzivirirwa pano?
Iwe wakatongoraira mangwanani kubva pakutanga kwamazuva ako here, Ukaratidza mambakwedza nzvimbo yawo here?
Kuti abate migumo yenyika, Vakaipa vazuzwe vabve pairi here?
Zvinoshanduka sevhu kana richitsikwa nechisimbiso, Zvinhu zvose zvichionekwa sapanguvo.
Vakaipa vanodzitirirwa chiedza chavo, Ruoko, runozvikudza, runovhuniwa.
Iwe wakatongopinda pamatsime egungwa here? Kana wakatongofamba pakadzikadzika pasi here?
Masuo orufu akatongokuzarurirwa here? Kana wakatongoona masuo omumvuri worufu here?
Wakatongonzwisisa upamhi hwenyika here? Dudzira, kana uchizviziva zvose.
Nzira iripiko inoenda kunogara chiedza, Kana riri rima, nzvimbo yaro iripiko?
Kuti undozviisa kumiganho yazvo, Uye kuti uzive nzira dzinoenda kumusha wazvo here?
Unenge unoziva hako, nokuti wakanga wakazvarwa panguva iyo! Mazuva ako anenge akawanda kwazvo!
Wakatongopinda panovigwa fuma yamazaya echando here, Kana wakatongoona panovigwa fuma yechimvuramabwe here?
Izvo zvandakachengetera nguva yenhamo, Nezuva rokurwa nehondo here?
Chiedza chinoparadzaniswa nomutoo upiko, Uye mhepo inobva mabvazuva inopararira seiko panyika?
Ndianiko akacherera boporodzi remvura mugero, Kana kuratidzira mheni yomutinhiro nzira yayo;
Kuti mvura iniswe panyika isina vanhu, Parenje pasina vanhu;
Kuti ivhu rakasiyiwa nerakaparadzwa rigutswe; Uye bumhudza rimereswe here?
Ko mvura inonaya inababa here? Kana ndianiko wakazvara madonhedza edova?
Mazaya echando akabuda muchizvaro chaaniko? Uye chando chokudenga ndianiko akachibereka?
Mvura inogwamba sebwe, Gungwa rakadzika rinogwamba pamusoro paro.
Ko iwe ungasunga sumbu reChinyamutanhatu, Kana kusunungura zvisungo zveOrionhi here?
Iwe ungabudisa Mazaroti panguva yawo here? Kana ungagona kufambisa Arikituro navanakomana vayo here?
Iwe unoziva mitemo yokudenga here? Iwe ungagona kuraira ushe hwazvo panyika here?
Ko iwe ungasvitsa inzwi kumakore, Kuti ufukidzwe nemvura yakawanda here?
Iwe ungagona kutuma mheni, kuti dzifambe, Dzichiti kwauri, Tiri pano, here?
Ndianiko akaisa uchenjeri mukati mamakore matema? Kana ndianiko akapa nyeredzi njere?
Ndianiko angagona kuverenga makore nohuchenjeri hwake here? Kana ndianiko angagona kudurura hombodo dzemvura dzokudenga?
Kana guruva richiungana pamwechete, Namavhinga achinamatirana here?
Ko iwe ungavhimira shumbakadzi, Kana kugutsa vana veshumba here?
Kana idzo dzichitsivama panzvimbo dzadzo, Nokurambira pakavanda dzichivandira here?
Ndianiko anogadzirira gunguvo zvokudya zvaro,

39

Iwe unoziva nguva inobereka ngururu here? Kana iwe ungaona kana nondo dzichibereka here?
Iwe ungagona kuverenga mwedzi yokutora kwadzo mazamu here? Kana iwe unoziva nguva yadzinobereka nayo here?
Dzinokotama, ndokubereka vana vadzo, Dzinorasha ushungu hwadzo.
Vana vadzo vanosimba, vanokurira kusango; Vanoenda vakasadzokazve.
Ndianiko akaregedza mbizi isina kusungwa? Kana ndianiko akasunungura zvisungo zvembizi?
Ndakaita renje imba yayo, Nenyika yebare hugaro hwayo.
Inozvidza bope romuguta, Hainzwi kuchaira kwomuchairi.
Nyika yamakomo ndiwo mafuro ayo, Inotsvaka mashizha ose matema.
Ko nyati ingatenda kukubatira here? Kana ingavata pachidyiro chemombe dzako here
Ko iwe ungasunga nyati negashu rayo mumuhoronga, Kana ingaputsa mavhinga ichikutevera here?
Ungaitenda, zvaine simba guru here? Kana kuiregera basa rako here?
Ungavimba nayo kuti iise zviyo zvako kuguta, Nokuzviunganidzira paburiro rako here?
Mhou inofara namapapiro ayo; Ko mapapiro ayo neminhenga yayo zvino hunyoro here?
Nokuti inosiya mazai ayo pasi pavhu, Inoadziyisa muguruva,
Ichikanganwa kuti angapwanyiwa netsoka dzavanhu, Kana kuti angatsikwa nezvikara.
Inovangararira vana vayo savanenge vasati vari vayo; Kunyange yakatambudzikira pasina, haine hanya;
Nokuti Mwari wakaitorera huchenjeri, Haana kuipa njere.
Panguva yainosimuka kuti itize, Inoshora bhiza nomutasvi waro
Iwe wakapa bhiza simba raro here? Ndiwe wakashongedza mutsipa waro nezenze rinopepereka here?
Iwe wakarichirikisa semhashu here? Simba rokupfeza kwaro rinotyisa.
Rinoteta pasi mumupata, richifarira simba raro; Rinobuda kundoshongana navarume vakashonga nhumbi dzokurwa nadzo.
Rinoseka kutya, harivhunduswi; Haridzoki kana richiona munondo.
Goba rinorira pamusoro paro, Uye pfumo nebakatwa zvinopenya.
Rinopedza pasi nokutsamwa nehasha; Harimiri kana richinzwa. inzwi rehwamanda.
Nguva ipi neipi kana hwamanda ichirira, rinoti, Hekani! Rinofembedza kurwa kana kuchiri kure, kutinhira kwamachinda, nebope.
Ko ruvangu runoengerera nohuchenjeri bwako here, Ruchitambanudzira mapapiro arwo kurutivi rwezasi here?
Ko gondo rinokwira nokuraira kwako, Richindovaka dendere raro pakakwirira here?
Rinogara padombo, richivatapo, Pashongwe yedombo napanhare.
Rinonananidza zvokudya zvaro riripo, Meso aro anozviona zviri kure.
Vana varowo vanosveta ropa; Pane chakaurawa ndipo pariri.

40

Zvino Jehovha akapfuura kupindura Jobho, akati,
Ko munhu, anokakavara, angaita nharo nowaMasimbaose here? Anoita nharo naMwari ngaapindure.
Ipapo Jobho akapindura Jehovha, akati
Tarirai, ini ndiri muduku hangu; ndingakupindurai here? Ndinofumbira muromo wangu.
Ndakataura kamwe, asi handingapindurizve; Zvirokwazvo kaviri, asi handingapamhidzizve.
Ipapo Jehovha akapindura Jobho ari muchamupupuri, akati,
Chizvisunga chiuno chako zvino somurume; Ndichakubvunzisisa, iwe undipindure.
Ko iwe unoda kukanganisa kutonga kwangu, Unoda kundipa mhosva, kuti iwe ururamiswe here?
Iwe unoruoko rwakafanana norwaMwari here? Iwe ungatinhira nenzwi rakafanana nerake here?
Chizvishongedza zvino noukuru nokukudzwa; Ufukidze nokurumbidzwa noumambo.
Durura hasha dzako dzinopfachuka; Utarire mumwe nomumwe anozvikudza, umuninipise.
Tarira mumwe nomumwe anozvikudza, umuderedze. Tsika pasi vakaipa ipapo pavamire.
Uvavige pamwechete paguruva; Sunga zviso zvavo pakavanda.
Ipapo ndichakurumbidzawo, Ndichiti ruoko rwako rworudyi rungakuponesa.
Tarira zvino mvuu, yandakaita pamwechete newe; Inodya uswa senzombe.
Tarira zvino simba rayo riri muchiuno chayo; Kusimba kwayo kuri pamakakava edumbu rayo.
Inotsvikidza muswe wayo somusidhari; Marunda ezvitumbi zvayo akarukwa-rukwa.
Mapfupa ayo akafanana nendarira ine mhango; Mbabvu dzayo dzakafanana namazariro amatare.
Ndiyo huru pamabasa aMwari; Iye, akaiita, akaipa munondo wayo.
Zvirokwazvo, makomo anoivigira zvokudya zvayo; Ipapo panotamba mhuka dzose dzesango.
Inovata pasi pemiti yemirotusi, Pamumvuri wetsanga napamurove.
Miti yemirotusi inoifukidza nomumvuri wayo; Mikondachando yomurukova inoipoteredza.
Tarira, kana rwizi rukafema nokunze, haidederi; Haityi, kunyange Jorodhani rukazara kusvikira pamuromo wayo.
Ko munhu ungaibata kana yakarindira here, Kana kuurura mhino dzayo norwauro here?

41

Ko ungagona kubata ngwena nechiredzo, Kana kutsikirira rurimi rwayo norwonzi here?
Ungagona kupinza rwauro pamhino dzayo, Kana kuurura rushaya rwayo nechikokovono?
Ko ingakunyengetera zvikuru here? Kana ingataura mashoko manyoro kwauri?
Ingaita sungano newe here, Kuti uiite muranda wako nokusingaperi?
Ungatamba nayo sezvaungaita neshiri here? Kana ungaisunga kuti vanasikana vako vatambe nayo?
Mapoka avabati vehove angaitengesa here? Vangaigovera vatengi?
Ungagona kuzadza ganda rayo nemiseve yenzeve here, Kana musoro wayo namapfumo ehove?
Isa ruoko rwako pamusoro payo; Rangarira kurwa, haungapamhidzizve.
Tarira, tariro yake hapana; Munhu haangaori moyo nokuiona bedzi here?
Hakuna munhu anotyisa angatsunga kuivamba, Zvino ndianiko angagona kumira pamberi pangu here?
Ndianiko akatanga kundipa, kuti ndifanire kumuripirazve? Zvose zviri pasi pedenga rose ndezvangu.
Handinganyarari kurondedzera mitezo yayo, Kana simba rayo, kana muturu wayo wakanaka.
Ndianiko angagona kubvisa nguvo yayo yokunze? Ndianiko angapinda pakati pemisara miviri yameno ayo?
Ndianiko angagona kuzarura mikova yechiso chayo? Pameno payo panotyisa kwazvo.
Makwande ayo, ane simba, ndiko kuzvikudza kwayo; Akabatanidzwa nechisimbiso chakabata.
Ari pedo nepedo, Mhepo haigoni kupinda napakati pawo.
Akabatanidzwa; Anonamatirana, haangaparadzaniswi.
Kuhotsira kwayo kunopenya chiedza; Meso ayo akafanana namafungiro amangwanani.
Mumuromo mayo munobuda mazhenje anopfuta; Masasaradzi omoto anobarika achibvamo.
Utsi hunobuda pamhino dzayo, Sapahari inovira nenhokwe dzinopfuta.
Mweya wayo unobatidza masimbe, Uye murazvo womoto unobuda mumuromo mayo.
Simba rinogara mumutsipa wayo, Kutyisa kunotamba pamberi payo.
Nyama dzayo dzakabatanidzwa kumativi ose, Dzakasimba pairi, hadzingazununguswi.
moyo wayo wakasimba sebwe; Zvirokwazvo, wakasimba seguyo.
Kana ichisimuka, vane simba vanotya; Vanopenga nokuvhunduswa.
Kana munhu akaitema nomunondo, haune simba; Kunyange nepfumo, kana nomuseve, kana matare anopinza.
Iyo inoti matare mashanga, Uye ndarira danda rakaora.
Museve haungaitizisi; Mabwe anoposhwa nechifuramabwe inoti makoto.
Tsvimbo dzakaita samakoto; Inoseka kana ichinzwa kuunga kwebakatwa.
Pasi payo pakafanana nezvaenga zvinocheka; Inoita sokukwekweredza chireyi chine mbambo mumatope.
Inovirisa mvura yakadzika sehari; Inoita gungwa samafuta okuzora.
Inotara nzira inopenya shure kwayo; Zvimwe munhu ungati, mvura yakadzika yachena vhudzi.
Panyika hapana chakafanana nayo, Chakaitwa chisina kutya.
Inoona zvose zvakakwirira; Ndiyo mambo wezvikara zvose zvinozvikudza.

42

Ipapo Jobho akapindura Jehovha, akati,
Ndinoziva kuti imi munogona kuita zvose, Uye kuti hakuna chamunovavarira chingadziviswa.
Ndianiko uyu anodzikatira zano raMwari asine zivo? Naizvozvo ndakataura zvandakanga ndisinganzwisisi, Zvinhu zvakandishamisa kwazvo, zvandakanga ndisingazivi.
Chidonzwai henyu, nditaure ini, Ndichakubvunzai, imi mundidudzire.
Ndakanga ndanzwa zvenyu nokunzwa kwenzeve; Asi zvino ziso rangu rinokuonai,
Saka ndinozvisema, nokuzvidemba Muguruva namadota. Jobho anodzoserwa mufaro wake wose
Zvino Jehovha akati ataura mashoko iwayo kuna Jobho, Jehovha akati kuna Erifazi muTemani, Ndakatsamwira kwazvo iwe neshamwari dzako mbiri, nokuti imi hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu sezvakaita muranda wangu Jobho.
Naizvozvo zvino chitorai nzombe nomwe namakondobwe namanomwe, muende kumuranda wangu Jobho, muzvipisire chipiriso chinopiswa; zvino muranda wangu Jobho achakunyengetererai; nokuti ndichamugamuchira iye, kuti ndirege kukuitirai zvakaenzana nohupenzi hwenyu; nokuti imi hamuna kutaura pamusoro pangu zakarurama, sezvakaita muranda wangu Jobho.
Zvino Erifazi muTemani, naBhiridhadhi muShuhi, naZofari muNaamati, vakandoita sezvakarairwa naJehovha, Jehovha akagamuchira Jobho.
Jehovha akashandura kutapwa kwaJobho nguva yaakanyengeterera shamwari dzake; Jehovha akapa Jobho zvaakanga anazvo pakutanga kaviri.
Ipapo vanununa vake vose, nehanzvadzi dzake dzose, navazikani vake vose vaimuziva kare vakauya kwaari, vakadya zvokudya mumba make; vakamudemba nokumunyaradza pamusoro pezvakaipa zvose zvakanga zvauyiswa naJehovha pamusoro pake; munhu mumwe nomumwe akamupawo chimari, nomumwe nomumwe chindori chendarama.
Saizvozvo Jehovha akaropafadza kupedzisira kwaJobho kupfuura kutanga kwake; akanga ana makwai ane zviuru zvitanhatu, nenzombe dzingasungwa pamajoko dzine chiuru chimwe, namakadzi embongoro ane chiuru chimwe.
Akazovawo navanakomana vanomwe navanasikana vatatu.
Akatumidza wokutanga zita rinonzi Jemima, nowechipiri zita rinonzi Kezia, nowechitatu zita rinonzi Kerenihapuki.
Panyika yose hapana kuwanikwa vakadzi vakanaka pazviso zvavo vakapfuurawo vakunda vaJobho baba vavo vakapawo nhaka pakati pehanzvadzi dzavo.
Shure kwaizvozvo Jobho akazogara makore ane zana namakumi mana, akaona vanakomana vake, navanakomana vavanakomana vake, kusvikira pamarudzi mana.
Zvino Jobho akazofa, akwegura, ava namazuva mazhinji.

Holder of rights
Multilingual Bible Corpus

Citation Suggestion for this Object
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Job (Shona). Job (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C58A-E