1

Zvino Soromoni mwanakomana waDhavhidhi akasimbiswa paushe hwake, Jehovha Mwari wake akava naye, akamukurisa zvikuru kwazvo.
Zvino Soromoni akataura navaIsiraeri vose, navakuru vezviuru navamazana, navatongi, namachinda ose pakati paIsiraeri vose, ivo vakuru vedzimba dzamadzibaba.
Ipapo Soromoni neungano yose pamwechete naye vakaenda kudunhu rakakwirira raiva paGibhiyoni; nokuti ndipo pakanga pane tende rokusangana raMwari, rakanga ravakwa murenje naMozisi muranda waJehovha.
Asi Dhavhidhi akanga atora areka yaMwari paKiriatijearimi, akaiisa panzvimbo, Dhavhidhi yaakanga aigadzirira; nokuti akanga aidzikira tende paJerusaremu.
Neareka yendarira yakanga yaumbwa naBhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, yakanga iripo pamberi petabhenakeri yaJehovha; Soromoni neungano yose vakairangarira.
Soromoni akakwirako pamberi paJehovha kuaritari yendarira, yakanga iri patende rokusangana, akabayira pamusoro payo zvipiriso zvinopiswa zvine chiuru chezana.
Zvino nousiku uhwo Mwari akazviratidza kuna Soromoni, akati kwaari, Kumbira chaunoda kuti ndikupe.
Soromoni akati kuna Mwari Makaitira baba vangu Dhavhidhi tsitsi huru, mukandiita ini mambo panzvimbo yavo.
Zvino Jehovha Mwari, shoko ramakapikira Dhavhidhi baba vangu ngarisimbiswe; nokuti makandiita mambo wavanhu vakafanana neguruva renyika pakuwanda kwavo.
Zvino ndipei henyu njere nokuziva, kuti ndibude nokupinda pamberi pavanhu ava; nokuti ndiani angagona kutonga vanhu venyu ava vakawanda vakadai?
Mwari akati kuna Soromoni, Zvawarangarira chinhu ichi mumoyo mako, ukasakumbira fuma, nezvakawanda, kana kukudzwa, kana kufa kwavavengi vako, kana kukumbira upenyu urefu, asi wakazvikumbirira njere nokuziva, kuti ugone kutonga vanhu vangu, vandakakuita mambo wavo;
zvino njere nokuziva unozvipiwa iwe; uye ndichakupa fuma, nezvakawanda, nokukudzwa, zvisina kumbopiwa mumwe wamadzibaba akakutangira; uye hapana mumwe achakutevera uchava nezvakadai.
Zvino Soromoni akabva panzvimbo yakakwirira yakanga iri paGibhiyoni, pamberi petende rokusangana, akasvika Jerusaremu, akabata ushe hwaIsiraeri. fuma yaSoromoni
Soromoni akaunganidza ngoro navatasvi vamabhiza; akanga ane ngoro dzine chiuru chimwe namazana mana, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvine gumi nezviviri, vaakaisa mumaguta engoro nokuna mambo paJerusaremu.
Mambo akaunganidza sirivha nendarama paJerusaremu zvikawanda zvikaita samabwe, nemisidhari ikaita semionde yaiva pamapani.
Mabhiza aSoromoni aaiva nawo, aibva Ijipiti; vatengesi vamambo vaindoatorako vachiita mapoka-mapoka, boka rimwe nerimwe rino mutengo waro.
Vakandozvitora Ijipiti, vakauya nazvo, ngoro imwe neimwe ichitengwa namashekeri esirivha ana mazana matanhatu, nebhiza rimwe nerimwe namashekeri ane zana namakumi mashanu; saizvozvowo madzimambo ose avaHiti, namadzimambo avaSiria aivigirwa izvozvo navo.

2

Zvino Soromoni akada kuvakira zita raJehovha imba, neimba youshe hwake.
Soromoni akaverenga varume vane zviuru zvina makumi manomwe kuzotakura mitoro, navarume vane zviuru zvina makumi masere kuzotema matanda pamakomo, navane zviuru zvitatu namazana matanhatu kuzova vatariri vavo.
Soromoni akatuma shoko kuna Hurami mambo weTire, akati, Sezvamakaitira baba vangu Dhavhidhi, mukavatumira misidhari yokuzvivakira nayo imba yokugaramo, mundiitirewo saizvozvo.
Tarirai, ndovakira zita raJehovha Mwari wangu imba, ndimutsaurire iyo, kuti ndipisire pamberi pake zvinonhuwira zvemiti yakanaka, nokuisapo zvingwa zvokuratidza zvenguva dzose nezvipiriso zvinopiswa mangwanani namadekwana, pamaSabata, napakugara kwomwedzi, napamitambo yakatarwa naJehovha Mwari wedu. Ndizvo zvakarairwa vaIsiraeri nokusingaperi.
Imba yandinovaka ihuru; nokuti Mwari wedu mukuru kupfuura vamwari vose.
Asi ndianiko anogona kumuvakira imba, denga nokudenga-denga zvarisingagoni kumuringana? Zvino ini ndini aniko, kuti ndimuvakire imba, asi kungopisa zvinonhuwira pamberi pake?
Naizvozvo zvino chinditumirai murume akangwara pakubata mabasa endarama, nesirivha, nendarira, namatare, nemicheka mishava, nemitsvuku, nemitema, uye anoziva kuveza zvose, abate pamwechete navarume vakangwara vandinavo paJudha napaJerusaremu, vakaiswapo nababa vangu Dhavhidhi.
Nditumireiwo misidhari, nemisipiresi, namatanda emiarigumi yapaRibhanoni; nokuti ndinoziva kuti varanda venyu, vane njere dzokutema matanda paRibhanoni; tarirai varanda vangu vachava navaranda venyu,
kundigadzirira matanda akawanda; nokuti imba yandobva ndovaka ichava huru zvinoshamisa.
Tarirai, ndichapa varanda venyu, ivo vanotema matanda, zviyero zvine zviuru zvamakumi maviri zvezviyo, nezviyero zvine zviuru zvamakumi maviri zvebhari, namabhati ane zviuru zvamakumi maviri ewaini, namabhati ane zviuru zvamakumi maviri amafuta.
Ipapo Hurami mambo weTire akapindura mutsamba yaakatuma kuna Soromoni, akati, Jehovha akada vanhu vake, saka akakuita mambo wavo.
Hurami akatiwo, Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, iye akasika denga napasi, akapa mambo Dhavhidhi mwanakomana akangwara, akapiwa kungwara nokuziva, kuvakira Jehovha imba neimba youshe hwake.
Zvino ndatuma munhu akachenjera, akapiwa zivo, iye Hurami Abhi,
mwanakomana womukadzi pakati pavakunda vaDhani, baba vake aiva munhu weTire, anoziva kubata mabasa endarama, nesirivha, nendarira, namatare, namabwe, namatanda, nemicheka mishava, nemitema, nemicheka yakaisvonaka, nemicheka mitsvuku; uye kuveza kwose, nokufunga mano ose; iye ngaapiwe ugaro pakati pavarume venyu vakachenjera, navarume vakachenjera vashe wangu Dhavhidhi baba venyu.
Naizvozvo zvino ishe wangu ngaatumire varanda vake zviyo, nebhari, namafuta newaini, sezvaakataura;
isu tichatema matanda paRebhanoni, sezvamunoda; tichaasvitsa kwamuri akabatanidzwa, aende Jopa negungwa; imi mugokwira nawo Jerusaremu.
Ipapo Soromoni akaverenga vatorwa vose vaiva panyika yaIsiraeri, sezvavakanga vaverengwa naDhavhidhi baba vake, vakasvika zviuru zvine zana namakumi mashanu nezvitatu namazana matanhatu.
Akaraira vane zviuru zvina makumi manomwe vave vatakuri vemitoro, navane zviuru zvina makumi masere vateme matanda pamakomo, uye vane zviuru zvitatu namazana matanhatu vave vatariri kuzoraira vanhu pakubata.

3

Ipapo Soromoni akatanga kuvaka imba yaJehovha paJerusaremu pagomo reMoria, pakanga pazviratidza Jehovha kuna Dhavhidhi baba vake, akagadzira ipapo pakanga parairwa naDhavhidhi paburiro raOrinani muJebhusi.
Akatanga kuvaka pazuva repiri romwedzi wechipiri, negore rechina rokubata kwake ushe.
Zvino ndidzo nheyo dzakavambwa naSoromoni pakuvaka imba yaMwari; kureba kwayo, kana vachienzanisa namakubhiti akare, makubhiti ana makumi matanhatu, noupamhi makubhiti makumi maviri.
Biravira, raiva pamberi peimba, kureba kwaro kwakanga kwakafanana noupamhi hweimba, makubhiti makumi maviri, nokukwirira kwaro makubhiti ane zana namakumi maviri, akaifukidza nechomukati nendarama yakaisvonaka.
Akafukidza imba huru namatanda omusipiresi, akafukidzwa nendarama yakaisvonaka, akavezera pamusoro pawo muchindwe namaketani.
Akashongedza imba ukomba hwamabwe anokosha; ndarama yakanga iri ndarama yeParivhaimi.
Akafukidzawo imba nendarama, namatanda ayo, nezvikumbaridzo zvayo, namadziro ayo, namagonhi ayo; akavezera makerubhi pamadziro.
Akavakawo imba tsvene-tsvene; kureba kwayo kwakanga kwakafanana nohupamhi hweimba, makubhiti ana makumi maviri, noupamhi hwayo makubhiti ana makumi maviri; akaifukidza nendarama yakaisvonaka yakasvika matarenta mazana matanhatu.
Kurema kwembambo kwakasvika mashekeri endarama ana makumi mashanu. Akafukidza makamuri okumusoro nendarama.
Paimba tsvene-tsvene akaita makerubhi maviri zviri zvifananidzo zvakavezwa; akaafukidza nendarama.
Mapapiro amakerubhi akasvika makubhiti ana makumi maviri pakureba kwawo; bapiro rerimwe rakanga rina makubhiti mashanu, richisvika kumadziro eimba; nerimwe bapirowo rakanga rina makubhiti mashanu, richisvika kubapiro rerimwe kerubhi.
Nebapiro rerimwe kerubhi rakanga rina makubhiti mashanu, richisvika kumadziro eimba; nerimwe bapirowo rakanga rina makubhiti mashanu, richibatana nebapiro rerimwe kerubhi.
Mapapiro amakerubhi awa akanga akatambanudzwa, akasvika makubhiti makumi maviri; akanga amire namakumbo awo, zviso zvawo zvakaringira kumba.
Akaitawo chidzitiro nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka-naka; akasonerapo makerubhi.
Akaitawo pamberi peimba mbiru mbiri; kukwirira kwadzo kwakasvika makubhiti ana makumi matatu namashanu, nomusoro wakanga uri pamusoro peimwe neimwe wakasvika makubhiti mashanu.
Akaitawo maketani panzvimbo tsvene, akaaisa pamisoro yembiru; akaita matamba ane zana, akaaisa pamaketani.
Akamisa mbiru mbiri pamberi petemberi, imwe kurudyi, imwe kuruboshwe; yokurudyi akaitumidza zita rinonzi Jakini, neyokuruboshwe akaitumidza Bhoazi.

4

Akaitawo aritari yendarira, kureba kwayo kwakanga kuna makubhiti ana makumi maviri, nokukwirira kwayo ane gumi.
Akaitawo dziva rendarira yakanyauswa, rakasvika makubhiti ane gumi paupamhi pamuromo, rakatenderera; nokukwirira kwaro kwakasvika makubhiti mashanu; uye pakuyera rwonzi rwakasvika makubhiti ana makumi matatu rwakaripoteredza.
Pasi paro pakanga pane zvifananidzo zvenzombe dzakanga dzichirikomberedza, zvichiita gumi pakubhiti rimwe nerimwe, zvichipoteredza dziva. Nzombe dzakaita misara miviri, dzakaumbwa pamwechete naro pakuumbwa kwaro.
Rakanga rimire pamusoro penzombe gumi nembiri, nhatu dzakanga dzakatarira kurutivi rwokumusoro, nhatu kurutivi rwamavirazuva, nhatu kurutivi rwezasi, nenhatu kurutivi rwamabvazuva; dziva rakanga rakagadzwa pamusoro padzo, idzo dzakafuratirana.
Ukobvu hwaro hwakanga hwakaita soupamhi hwechanza, nomuromo waro wakanga wakafanana nomuromo wembiya, seruva rehapa; mukati makadirwa uye makaringana mabhati ane zviuru zvitatu.
Akaitawo midziyo yokusukira ine gumi, akaisa mishanu kurudyi nemishanu kuruboshwe, yokusukiramo; zvinhu zvezvipiriso, zvaipiswa, zvaisukirwamo; asi dziva rakanga riri ravapirisiti rokushambidziramo.
Akaitawo zvigadziko zvemwenje zvine gumi zvendarama, sezvaakanga arairwa pamusoro pazvo; akazviisa patemberi, zvishanu kurudyi uye zvishanu kuruboshwe.
Akaitawo tafura dzine gumi, akadziisa mutemberi, shanu kurudyi uye shanu kuruboshwe. Akaita midziyo yendarama ine zana.
Uye akaitawo ruvazhe rwavapirisiti, noruvazhe rukuru, nemikova yoruvazhe, akafukidza mikova yarwo nendarira.
Akaisa dziva kurutivi rworudyi rweimba kumabvazuva, kwakatarira zasi.
Hurami akaita hari, nefoshoro, nembiya. Naizvozvo Hurami akapedza mabasa ose aakaitira Soromoni paimba yaJehovha;
zvaiti: mbiru mbiri, nembiya, nemisoro miviri, yakanga iri pamisoro yembiru; nemimbure miviri yokufukidza nayo mbiya mbiri dzemisoro miviri yakanga iri pamisoro yembiru;
namatamba ana mazana mana emimbure miviri, misara miviri yamatamba pamumbure mumwe nomumwe, kufukidza mbiya mbiri yemisoro yakanga iri pamusoro pembiru;
akaitawo zvingoro zvine gumi, nemidziyo yokushambidzira pamusoro pezvingoro;
nedziva rimwe, nenzombe gumi nembiri pasi pedziva.
Nehariwo, nefoshoro, nezvikokovonho zvenyama, nenhumbi dzose dzayo, Hurami Abhi wakazviitira mambo Soromoni nendarira inobwinya, zvive zveimba yaJehovha.
Mambo akazviumba pabani raJorodhani, pakati peSukoti neZeredha.
Saizvozvo Soromoni akaita nhumbi dzose idzi dzakawanda kwazvo; nokuti kurema kwendarira kwakanga kusingayerwi.
Soromoni akaita nhumbi dzose dzakanga dziri mumba maMwari, nearitari yendarirawo netafura pakanga pane zvingwa zvokuratidza;
nezvigadziko zvemwenje nemwenje yazvo, kuti ipfute pamberi penzvimbo tsvene, sezvavakanga varairwa, zviri zvendarama;
namaruva, nemwenje, nembato, zvendarama, iri pandarama yakanaka kwazvo;
nembato, nembiya, nezvirongo, nezvaenga zvomoto, zviri zvendarama yakaisvonaka; napavakapinda napo paimba, mikova yomukati yayo yenzvimbo tsvene-tsvene; nemikova yeimba, iyo temberi, yakanga iri yendarama.

5

Saizvozvo mabasa ose akaitirwa imba yaJehovha naSoromoni akapera. Zvino Soromoni akapinza zvinhu zvakanga zvatsaurirwa Jehovha nababa vake Dhavhidhi, sirivha, nendarama, nenhumbi dzose, akadziisa muzvivigiro zveimba yaMwari. Temberi inotsaurirwa Jehovha
Zvino Soromoni akaunganidza vakuru valsiraeri, navakuru vose vamarudzi, iwo machinda edzimba dzamadzibaba avana vaIsiraeri, paJerusaremu, akakwidza areka yesungano yaJehovha ibve paguta raDhavhidhi, iro Ziyoni.
Varume vose vaIsiraeri vakaungana kuna mambo pamutambo, wakanga uri pamwedzi wechinomwe.
Vakuru vose vaIsiraeri vakasvika, vaRevhi vakasimudza areka.
Vakakwira neareka, netende rokusangana, nenhumbi dzose tsvene dzakanga dziri muTende; vapirisiti vaRevhi vakakwira naizvozvo.
Mambo Soromoni, neungano yose yavaIsiraeri yakanga yaunganira kwaari, vakafamba pamberi peareka, vakabayira makwai nenzombe, zvakanga zvisingagoni kuverengwa nokuwanda kwazvo.
Ipapo vapirisiti vakagadzika areka yesungano yaJehovha panzvimbo yayo, panzvimbo tsvene yeimba, panzvimbo tsvene-tsvene, ipo panyasi pamapapiro amakerubhi.
Nokuti makerubhi akatambanudza mapapiro awo pamusoro penzvimbo yeareka, makerubhi akafukidza areka namatanda ayo nechokumusoro.
Matanda akanga akareba; naizvozvo miromo yamatanda yakanga ichionekwa kana munhu ari paareka pamberi penzvimbo tsvene; asi akanga asingaonekwi nechokunze, ichipo kusvikira nhasi.
Mukati meareka makanga musisine chiro, asi mahwendefa maviri akanga aiswamo naMozisi paHorebhu, nguva Jehovha yaakaita sungano navana valsiraeri pakubuda kwavo paIjipiti.
Zvino vapirisiti vakati vabuda panzvimbo tsvene, (nokuti vapirisiti vose, vakanga varipo, vakanga vazvinatsa, vasingaiti hanya namapoka avo;
navaRevhi vosewo, vaiva vaimbi, vose vavo, vaiti, Asafi, naHemani, naJedhutuni, navanakomana vavo, navananununa vavo, vakafuka micheka yakanaka kwazvo, vanamakandira, nemitengerangwa, nembira, vakamira kurutivi rwamabvazuva rwearitari, uye pamwechete navo vapirisiti vane zana namakumi maviri, vachiridza hwamanda;)
zvino varidzi vehwamanda, navaimbi, vakati vachiita mawa, vachiita nenzwi rimwe vachirumbidza nokuvonga Jehovha; vakati vachiimbisa pamwechete nehwamanda, namakandira, nezvokuridzisa nazvo, vachirumbidza Jehovha, vachiti, Nokuti akanaka; nokuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi; ipapo imba yakazara negore, iyo imba yaJehovha;
naizvozvo vapirisiti vakanga vasingagoni kumira pabasa nokuda kwegore; nokuti kubwinya kwaJehovha kwakazadza imba yaMwari.

6

Ipapo Soromoni akati, Jehovha akati, ndinoda kugara mukati merima guru.
Asi ndakakuvakirai imba pamungagara, nenzvimbo yamungagara nokusingaperi.
Zvino mambo akatendeudza chiso chake, akaropafadza ungano yose yaIsiraeri; ungano yose yaIsiraeri ikasimuka.
Akati, Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, iye akataura nomuromo wake naDhavhidhi baba vangu, akazvizadzisa noruoko rwake, achiti,
Kubva pazuva randakabudisa vanhu vangu vaIsiraeri paljipiti, handina kutsaura guta rimwe pamarudzi ose aIsiraeri, pavangandivakira imba, kuti zita rangu rigarepo; uye handina kutsaura munhu mumwe ave mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri;
asi ndakatsaura Jerusaremu, kuti zita rangu rigarepo; uye ndakatsaura Dhavhidhi kuti abate vanhu vangu vaIsiraeri.
Zvino Dhavhidhi baba vangu vakanga vachida kuvakira zita raJehovha Mwari waIsiraeri imba.
Asi Jehovha akati kuna Dhavhidhi baba vangu, Wakaita zvakanaka, zvawakanga uchida kuvakira zita rangu imba;
kunyange zvakadaro iwe haungavaki imba iyo; asi mwanakomana wako wauchabereka, ndiye achavakira zita rangu imba.
Zvino Jehovha akaita shoko rake raakataura, nokuti ini ndamuka panzvimbo yaDhavhidhi baba vangu, ndikagara pachigaro choushe chalsiraeri, sezvakapika Jehovha, ndikavakira zita raJehovha Mwari walsiraeri imba.
Imomo ndakaisa areka, mune sungano yaJehovha, yaakaita navana vaIsiraeri.
Akamira pamberi pearitari yaJehovha, pamberi peungano yose yalsiraeri, akatambanudza maoko ake;
(nokuti Soromoni akanga aita nendarira pokumira pakakwirira, kureba kwapo kwakasvika makubhiti mashanu, noupamhi makubhiti mashanu, nokukwirira makubhiti matatu, akazviisa pakati poruvazhe; akamira pamusoro pazvo, akapfugama pamberi peungano yose yaIsiraeri, akatambanudzira maoko ake kudenga;)
akati, Jehovha Mwari waIsiraeri, hakuna mumwe Mwari akafanana nemi kudenga kumusoro kana panyika pasi; munorangarira sungano nenyasha kuvaranda venyu, vanofamba pamberi penyu nomoyo wavo wose.
Imi makaitira muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu, sezvamakamupikira; mukataura nomuromo wenyu, mukazviita noruoko rwenyu, sezvazvakaita nhasi.
Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari waIsiraeri, itirai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu, sezvamakamupikira, muchiti, Haungashaiwi munhu achagara pachigaro choushe chaIsiraeri pamberi pangu, kana vana vako vakangwarira kufamba kwavo, vakafamba pamberi pangu sezvawakafamba iwe pamberi pangu.
Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari waIsiraeri, shoko renyu ngariitike, iro ramakataura kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu.
Ko mukati Mwari ungagara panyika here? Tarira, denga nokudenga-denga hazvingamuringani; ndoda imba ino yandakavaka!
Kunyange zvakadaro, ivai nehanya nomunyengetero womuranda wenyu, nokukumbira kwake, Jehovha Mwari wangu, munzwe kudanidzira nokunyengetera kwomuranda wenyu, kwaanonyengetera pamberi penyu nhasi.
Meso enyu ngaarambe achirindira imba ino masikati nousiku, nzvimbo iyi yamakataura pamusoro payo, muchiti, muchagarisa zita renyupo; inzwai munyengetero womuranda wenyu waanozonyengetera akatarira kunzvimbo ino.
Munzwe kukumbira kwomuranda wenyu, nokwavanhu venyu vaIsiraeri, kana vachizonyengetera vakatarira kunzvimbo iyi; donzwai iko kudenga, kwamunogara; zvino kana mukanzwa, muvakanganwire henyu.
Kana munhu achinge atadzira waanogara naye, akapikiswa mhiko, akauya akapika pamberi pearitari yenyu muimba ino;
inzwai iko kudenga, muite mururamisire varanda venyu, mupe akaipa mhosva, arohwe pamusoro pomufambiro wake; asi mururamisire akarurama, apiwe zvakafanira kururama kwake.
Kana vanhu venyu vaIsiraeri vachinge vakundwa navavengi vavo, nemhaka yokuti vakakutadzirai; kana vakadzokerazve kwamuri, vakatenda zita renyu, vakanyengetera kwamuri nokukumbira muimba ino;
inzwai iko kudenga, mukanganwire zvivi zvavanhu venyu vaIsiraeri, muvadzoserezve kunyika yamakavapa ivo madzibaba avo.
Kana kudenga kuchinge kwazarirwa, mvura ikasanaya nemhaka yokuti vakakutadzirai; kana vakanyengetera vakatarira kunzvimbo ino, vakatenda zita renyu, vatendeuka pazvivi zvavo, nokuti munenge mavarova;
inzwai iko kudenga, mukanganwire zvivi zvavaranda venyu, nezvavanhu venyu vaIsiraeri, nokuti munovadzidzisa nzira yakanaka yavanofanira kufamba nayo; munise mvura panyika iyo yamakapa vanhu venyu kuti ive nhaka yavo.
Kana nzara ikavapo panyika, kana denda rikavapo, kana nyunje nokuvhuvha zvikavapo, nemhashu nehonye; kana vavengi vavo vakavakomba panyika inamaguta avo; kana nyatwa kana hosha ipi neipi ikavapo.
Kana munhu upi noupi, kana vanhu venyu vose valsiraeri vakanyengetera kana kukumbira, mumwe nomumwe achiziva kutambudzika kuri pamoyo wake kana kuchema kwake, akatambanudzira maoko ake kuimba ino;
inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, mukanganwire muripire mumwe nomumwe zvakafanira mafambiro ake ose, iye wamunoziva moyo wake; (nokuti imi, imi moga, ndimi munoziva moyo yavana vavanhu vose;)
kuti vakutyei, vafambe munzira dzenyu, nguva yose yavanogara panyika yamakapa madzibaba edu.
Zvino kana ari mutorwa, asati ari wavanhu venyu vaIsiraeri, kana akabva kunyika iri kure nokuda kwezita renyu guru, noruoko rwenyu rune simba, noruoko rwenyu rwakatambanudzwa; kana akauya akanyengetera akatarira kuimba ino.
Inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, muitire mutorwa zvose zvaanokumbira, kuti vanhu vose venyika vazive zita renyu, vakutyei, sezvinoita vanhu venyu vaIsiraeri, vazive kuti imba ino yandakavaka yakatumidzwa zita renyu.
Kana vanhu venyu vakandorwa navavengi vavo, vakaenda nenzira ipi neipi yamuchavatuma nayo, vakanyengetera kwamuri vakatarira kuguta rino ramakatsaura, nokuimba yandakavakira zita renyu;
inzwai henyu iko kudenga kunyengetera kwavo nokukumbira kwavo, muvaruramisire.
Kana vakakutadzirai, (nokuti hakuna munhu asingatadzi), mukavatsamwira, mukavaisa kuvavengi vavo, vakatapwa kunyika yavavengi vavo, kana kure kana pedo.
Kana vakazozvifunga panyika kwavakatapirwa, vakadzokazve, vakakumbira kwamuri panyika yokutapwa kwavo, vakati, Tatadza, taita zvakaipa, taita zvisakarurama;
kana vakadzokerazve kwamuri nomoyo wavo wose, nomweya wose, panyika yokutapwa kwavo, kwavakatapirwa, vakanyengetera vakatarira kunyika yavo, yamakapa madzibaba avo, nokuguta ramakatsaura imwi, nokuimba yandakavakira zita renyu;
inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, kunyengetera kwavo nokukumbira kwavo, muvaruramisire; mukanganwire vanhu venyu vakakutadzirai.
Zvino Mwari wangu, meso enyu ngaasvinure, nenzeve dzenyu ngadziteerere zvakanaka munyengetero unonyengeterwa munzvimbo ino.
Naizvozvo zvino simukai, Jehovha Mwari, mupinde munzvimbo yenyu yokuzorora, neareka yesimba renyu; vapirisiti venyu, Jehovha Mwari, ngavafukidzwe noruponeso, navatsvene venyu ngavafarire zvakanaka.
Jehovha Mwari, musafuratira chiso chomuzodzwa wenyu; rangarirai mabasa akanaka aDhavhidhi muranda wenyu.

7

Zvino Soromoni akati apedza kunyengetera, moto ndokuburuka kudenga, ukapedza chipiriso chinopiswa nezvimwe zvibayiro; kubwinya kwaJehovha kukazadza imba.
Vapirisiti vakakoniwa kupinda muimba yaJehovha, nokuti kubwinya kwaJehovha kwakanga kwazadza imba yaJehovha.
Vana vaIsiraeri vose vakatarira moto uchiburuka kudenga nokubwinya kwaJehovha kuchigara pamusoro peimba; vakakotamira pasi nezviso zvavo pakarongwa namabwe, vakanamata nokuvonga Jehovha, vachiti, Nokuti akanaka, nokuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi.
Ipapo mambo navanhu vose vakabayira zvibayiro pamberi paJehovha.
Mambo Soromoni akabayira chibayiro chenzombe dzine zviuru zvina makumi maviri nezviviri, namakwai ane zviuru zvine zana namakumi maviri. Saizvozvo mambo navanhu vose vakatsaurira Mwari imba iyo.
Vapirisiti vakamirapo, sezvavakagoverwa mabasa avo; navaRevhivo vane zvokuridzira Jehovha, zvakaitwa namambo Dhavhidhi, zvokuvonga Jehovha nazvo, nokuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi, panguva iya Dhavhidhi yaakakudza Jehovha nazvo; vapirisiti vakaridza hwamanda pamberi pavo, vaIsiraeri vose vakamira.
Soromoni akatsaurawo nzvimbo yapakati yoruvazhe rwakanga ruri pamberi peimba yaJehovha; nokuti ndipo paakabayira zvipiriso zvinopiswa, namafuta ezvipiriso zvokuyananisa; nokuti aritari yendarira yakaitwa naSoromoni yakanga isingagoni kuringana chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu, namafuta.
Naizvozvo Soromoni akatamba mutambo panguva iyo mazuva manomwe, navaIsiraeri vose pamwechete naye, ikaita ungano huru-huru, kubva pavanopinda paHamati, kusvikira parukova rweIjipiti.
Zvino pazuva rorusere vakatamba mutambo wokupedzisira; nokuti vakatsaura aritari mazuva manomwe, vakaita mutambo mazuva manomwe.
Zvino pazuva ramakumi maviri namatatu romwedzi wechinomwe akaendisa vanhu kumatende avo nemoyo yakanga ichifara, ichifarira zvakanaka zvose zvakaitira Jehovha Dhavhidhi, naSoromoni, navanhu vake vaIsiraeri. Zvibayiro zvaSoromoni, nemitambo
Saizvozvo Soromoni akapedza imba yaJehovha, neimba yamambo; zvose zvakanga zviri mumoyo waSoromoni kuita muimba yaJehovha, nomumba make, wakazviita kwazvo.
Ipapo Jehovha akazviratidza kuna Soromoni usiku, akati kwaari, Ndanzwa kunyengetera kwako, ndazvitsaurira nzvimbo iyi, ive imba yokubayira zvibayiro.
Kana ndichinge ndadzivira kudenga, kuti mvura irege kunaya, kana zvimwe ndichinge ndaraira mhashu, kuti dzipedze nyika, kana zvimwe ndichinge ndatuma denda pakati pavanhu vangu;
kana vanhu vangu, vakatumidzwa nezita rangu, vakazvininipisa, vakanyengetera nokutsvaka chiso changu, nokurega nzira dzavo dzakaipa; ipapo ndichanzwa kudenga ndichavakanganwira zvivi zvavo, nokupodza nyika yavo.
Zvino meso angu achasvinura, nzeve dzangu dzichateerera ndinzwe munyengetero unoitwa panzvimbo iyi.
Nokuti zvino ndatsaura imba ino nokuiita tsvene, zita rangu rivepo nokusingaperi; meso angu nomoyo wangu zvichavapo nokusingaperi.
Kana uriwe, kana ukafamba pamberi pangu sababa vako, Dhavhidhi, ukaita zvose zvandakakuraira, ukachengeta zvandatema nezvandatonga,
ipapo ini ndichasimbisa chigaro chako choushe, sezvandakapikira baba vako Dhavhidhi, ndichiti, Haungashaiwi munhu achabata ushe hwaIsiraeri.
Asi kana mukatsauka, mukasiya zvandatema nezvandaraira zvandakaisa pamberi penyu, mukandoshumira vamwe vamwari, mukavanamata;
ipapo ndichavadzura nemidzi panyika yangu yandakavapa, neimba iyi yandakatsaurira zita rangu, ndichairashira kure ndirege kuiona, ndiite shumo nechiseko pakati pavanhu vose.
Neimba iyi kunyange yakakwirira ikadai, vose vanopfuura nayo vachakanuka, vachiti, Jehovha wakaitireiko kudai nenyika ino, uye neimba iyi?
Vachapindura, vachiti, Nokuti vakasiya Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, wakavabudisa panyika yeIjipiti, vakanamatira vamwe vamwari, vakavanamata, nokuvashumira; saka Jehovha akavapinza panjodzi idzi dzose.

8

Makore makumi maviri akati apera, Soromoni aakavaka nawo imba yaJehovha neimba yake,
Soromoni akavaka maguta akanga apiwa Soromoni naHurami, akagarisa vana vaIsiraeri imomo.
Soromoni akaenda Hamatizobha, akarikunda.
Akavaka Tadhimori murenje, namaguta ose amatura aakavaka paHamati.
Akavakawo Bhetihoroni rokumusoro neBhetihoroni rezasi, ari maguta akakombwa namasvingo, anamasuo, namazariro;
neBhaarati, namaguta ose engoro dzake, namaguta avatasvi vamabhiza ake, nezvose Soromoni zvaakanga achida kuzvivakira paJerusaremu, napaRebhanoni, napanyika yose yakabatwa naye.
Kana vari vanhu vose vakanga vasara pavaHeti, navaAmori, navaPerizi, navaHivhi, navaJebhusi, vakanga vasi vavaIsiraeri;
pavana vavo vakanga vasara panyika shure kwavo, vasati vakaparadzwa navalsiraeri, pakati pavo Soromoni akaraira chibharo chavaranda kusvikira nhasi.
Asi Soromoni haana kuita varanda pakati pavana vaIsiraeri, asi ivo vakanga vari varwi, navakuru vavatungamiriri vake vehondo, navarairi vengoro dzake, navatasvi vamabhiza ake.
Ndivo vaiva vatariri vakuru vamambo Soromoni, vaiva namazana maviri namakumi mashanu, vairaira vanhu.
Zvino Soromoni akandotora mukunda waFarao muguta raDhavhidhi, akamuisa kuimba yaakanga amuvakira; nokuti akati, Mukadzi wangu haafaniri kugara muimba yaDhavhidhi mambo waIsiraeri, nokuti panzvimbo pasvika areka yaJehovha patsvene.
Zvino Soromoni akabayira Jehovha zvipiriso zvinopiswa paaritari yaJehovha, yaakanga avaka pamberi pebiravira,
sezvavaifanira kuita zuva rimwe nerimwe, vakabayira sezvavakanga varairwa naMozisi, pamaSabata, napakugara kwomwedzi, napamitambo yakatarwa, katatu pagore, pamutambo wezvingwa zvisine mvuviro, napamutambo wamavhiki, napamutambo wamatumba.
Akagadza, sezvaakarairwa naDhavhidhi baba vake, mapoka avapirisiti pamabasa avo, navaRevhi pamabasa avo, kuti varumbidze nokubata pamberi pavapirisiti, sezvavaifanira kuita zuva rimwe nerimwe navatariri vemikova pamapoka avo pasuo rimwe nerimwe; nokuti ndizvo zvakanga zvarairwa naDhavhidhi munhu waMwari.
Havana kutsauka pamurayiro wamambo kuvapirisiti navaRevhi pamusoro pezvinhu zvose napamusoro pefuma.
Zvino mabasa ose aSoromoni akapera kugadzirwa pazuva rokuvambwa kweimba kusvikira pakupera kwayo. Imba yaJehovha ikazopera chose.
Ipapo Soromoni akaenda EZiyonigebheri neEroti, pamhenderekedzo dzegungwa panyika yaEdhomu.
Hurami akamutumira navaranda vake zvikepe, navaranda vaiziva gungwa kwazvo vakaenda; Ofiri navaranda vaSoromoni, vakandotorapo ndarama yakasvika matarenta mazana mana namakumi mashanu, vakauya nayo kuna mambo Soromoni.

9

Zvino mambokadzi weShebha akati anzwa mbiri yaSoromoni, akasvika Jerusaremu kuzoidza Soromoni nemibvunzo mikukutu, ana vanhu vazhinji, makamera aitakura zvinonhuwira, nendarama zhinji-zhinji, nezvibwe zvinokosha; zvino akati asvika kuna Soromoni, akataurirana naye pamusoro pezvose zviri mumoyo make.
Soromoni, akapindura mibvunzo yake yose; hakuna chinhu chakanga chakavanzirwa Soromoni, chaakanga asingagoni kumuudza.
Zvino mambokadzi weShebha akati aona kungwara kwaSoromoni, neimba yaakavaka,
nezvokudya zviri patafura yake, nokugara kwavaranda vake, nokushumira kwavabatiri vake, nenguvo dzavo, navadiri vake, nenguvo dzavo, nechikwiriso chake chaaikwira nacho kuimba yaJehovha, akapera mweya.
Akati kuna mambo, Guhu randakanzwa munyika yangu ramashoko enyu nokungwara kwenyu rakanga riri razvokwadi.
Asi handina kutenda mashoko avo, kusvikira ndauya, ndikaona nameso angu; asi tarirai handina kuudzwa kunyange hafu youkuru hwokungwara kwenyu; imi munokunda mbiri yandakanzwa.
Varume venyu vano mufaro, navaranda venyu vano mufaro, vanomira pamberi penyu nguva dzose vachinzwa kungwara kwenyu.
Jehovha Mwari wenyu ngaakudzwe, akafadzwa nemwi, akakugadzai pachigaro chake choushe, muve mambo waJehovha Mwari wenyu; nokuti Mwari wenyu akada Isiraeri, kuti avasimbise nokusingaperi, saka akakuitai mambo wavo, kuti mutonge nokururamisa.
Akapa mambo matarenta ane zana namakumi maviri endarama, nezvinonhuwira zvizhinji kwazvo, nezvibwe zvinokosha; hakuna kumbovapo zvinonhuwira zvakawanda zvikadai, zvakafanana nezvakapiwa mambo Soromoni namambokadzi weShebha.
Navarandawo vaHurami, navaranda vaSoromoni, ivo vaiuya nendarama vachibva Ofiri, vakauyawo nemiti yemiarigumi nezvibwe zvinokosha.
Mambo akaita namatanda emiarigumi zvikwiriso zveimba yaJehovha, nezveimba yamambo, nembira nemitengerangwa zvavaimbi; zvakadai hazvina kumboonekwa panyika yaJudha.
Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvose zvaaida nezvaakakumbira; zvimwe zvaakauya nazvo kuna mambo zvisingaverengwi. Naizvozvo akadzoka, akaenda kunyika yake, iye navaranda vake. fuma yaSoromoni nembiri yake
Zvino ndarama yakauyiswa kuna Soromoni gore rimwe nerimwe yakasvika matarenta ana mazana matanhatu namakumi matanhatu namatanhatu pakurema kwayo;
vasingaverengi iyo yakauya navashambadziri navatengesi; namadzimambo ose eArabhia navabati venyika vakauya nendarama nesirivha kuna Soromoni.
Mambo Soromoni akaita nhovo huru dzina mazana maviri nendarama yakapambadzirwa; nhovo imwe neimwe yakanga yakaitwa namashekeri ana mazana matatu endarama;
akaitawo nhovo duku dzina mazana matatu dzendarama yakapambadzirwa; ndarama yakasvika mashekeri ana mazana matatu yakaiswa panhovo imwe neimwe; mambo akazviisa muimba yedondo reRebhanoni.
Mambo akaitawo chigaro chikuru choushe chenyanga dzenzou, akachifukidza nendarama yakaisvonaka.
Chigaro icho choushe chakanga chine zvikwiriso zvitanhatu, nechitsiko chendarama, zvakanga zvakabatanidzwa nechigaro choushe, nezvitsigiro kunhivi mbiri dzechigaro, neshumba mbiri dzakanga dzimire kunhivi dzezvitsigiro.
Kwakanga kune shumba gumi nembiri dzimire pazvikwiriso zvitanhatu, mbiri-mbiri kunhivi dzechimwe nechimwe; hakuna kumboitwa chakadai kuno umwe ushe.
Mikombe yose yokunwa nayo yamambo Soromoni yaiva yendarama, nemidziyo yose yeimba yedondo reRebhanoni yaiva yendarama yakaisvonaka; sirivha yakanga ichinzi haino murimo pamazuva aSoromoni.
Nokuti mambo akanga ane zvikepe zvaienda Tarishishi navaranda vaHurami; zvikepe zveTarishishi zvaiuya kamwechete pamakore matatu zvine ndarama, nesirivha nenyanga dzenzou, netsoko namatendera.
Naizvozvo mambo Soromoni akakunda madzimambo ose enyika pakufuma nokuchenjera.
Madzimambo ose enyika aiuya kushanyira Soromoni, kuzonzwa kungwara kwake, kwakanga kwaiswa naMwari mumoyo make.
Mumwe nomumwe aiuya nechipo chake chemidziyo yesirivha, nemidziyo yendarama, nehanzu, nenhumbi dzokurwa nadzo, nezvinonhuwira, namabhiza, namahesera, gore rimwe nerimwe.
Soromoni akanga ane zvidyiro zvamabhiza nengoro, zvine zviuru zvina, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvine gumi nezviviri, zvaakaisa pamaguta engoro, nokuna mambo paJerusaremu.
Akabata ushe hwamadzimambo ose, kubva paRwizi kusvikira panyika yavaFirisitia, nokumuganhu weIjipiti.
Mambo akaunganidza sirivha paJerusaremu ikawanda ikaita samabwe, nemisidhari ikaita semionde yaiva pamapani.
Vakandotorera Soromoni mabhiza paIjipiti, nokunyika dzose. Kufa kwaSoromoni
Zvino mamwe mabasa aSoromoni, okutanga nookupedzisira, haana kunyorwa here pabhuku yomuporofita Natani, napamashoko akaporofitwa naAhiya muShironi, napane zvakaonekwa nomuoni Idho pamusoro paJerobhoami mwanakomana waNebhati?
Soromoni akabata ushe hwavaIsiraeri vose paJerusaremu makore ana makumi mana.
Ipapo Soromoni akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake, Rehobhoamu mwanakomana wake akamutevera paushe.

10

Zvino Rehobhoamu akaenda Shekemi, nokuti vaIsiraeri vose vakanga vaungana paShekemi kuzomuita mambo.
Zvino Jerobhoami mwanakomana waNebhati, akati achizvinzwa, (nokuti akanga achiri Ijipiti kwaakanga atizira nokuda kwaSoromoni,) Jerobhoami ndokudzoka achibva Ijipiti.
Vakatuma nhume kundomudana; Jerobhoami navaIsiraeri vose vakasvika vakataura naRehobhoamu, vakati,
Baba venyu vakatitakudza joko rinogozha; naizvozvo zvino imi chirerusai basa rababa venyu rakanga richigozha, nejoko ravo rinorema ravakaisa pamusoro pedu, tigokushumirai.
Iye akati kwavari, Dzokeraizve kwandiri kana mazuva matatu apera. Vanhu vakaenda.
papo mambo Rehobhoamu akarangana navakuru, vaimira pamberi paSoromoni baba vake, vachiri vapenyu, akati, Mungandipa zano reiko, randingapindura vanhu ava naro?
Ivo vakataura kwaari, vakati, Kana mukaitira vanhu ava nomoyo wakanaka, nokuvafadza, nokutaura mashoko akanaka kwavari, ipapo vachava varanda venyu nokusingaperi.
Asi iye wakaramba zano ravakuru, ravakamupa, akarangana namajaya ezero rake, akanga achimira pamberi pake.
Akati kwavari, Imi mungandipa zano reiko, ratingapindura naro vanhu ava vakataura neni, vachiti, Rerusai joko rakaiswa pamusoro pedu nababa venyu?
Zvino majaya ezero rake akataura kwaari, akati, Iti kuvanhu ava vakataura newe, vachiti, Baba venyu vakatitakudza joko rinogozha, asi imi chitirerusirai iro, utaure kwavari uti, Mumwe wangu muduku mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu.
Zvino, baba vangu zvavakakutakudzai joko rinorema, ini ndichawedzera pajoko renyu; baba vangu vaikurovai neshamhu, asi ini ndichakurovai nezvinyavada.
Naizvozvo Jerobhoami navanhu vose vakasvika kuna Rehobhoamu nezuva retatu, sezvavakanga varairwa namambo, achiti, Dzokerai kwandirizve nezuva retatu.
Mambo akavapindura nehasha; mambo Rehobhoamu akarasha zano ravakuru,
akataura kwavari sezvaakanga apiwa zano namajaya, akati, Baba vangu vakakutakudzai joko rinorema, asi ini ndichawedzera pajoko renyu; baba vangu vaikurovai neshamhu, asi ini ndichakurovai nezvinyavada.
Naizvozvo mambo haana kuteerera vanhu; nokuti zvakanga zvabva kuna Mwari, kuti Jehovha asimbise shoko rake, raakataura naAhija muShiro kuna Jerobhoami mwanakomana waNebhati.
Zvino vaIsiraeri vose vakati vachiona kuti mambo haana kuvateerera, vanhu vakapindura mambo, vakati, Tino mugove weiko kuna Dhavhidhi? Uye hatine nhaka kumwanakomana weJese; endai henyu munhu mumwe nomumwe kutende rake, imi Isiraeri! Zvino Dhavhidhi, chitarira hako imba yako. Naizvozvo valsiraeri vose vakaenda kumatende avo.
Asi kana vari vana vaIsiraeri, vakanga vagere mumaguta aJudha, Rehobhoamu aiva mambo wavo.
Zvino mambo Rehobhoamu akatuma Hadhorami mutariri wavanhu vechibharo, vana vaIsiraeri vakamutaka namabwe, akafa. Ipapo mambo Rehobhoamu akachimbidzika kukwira ngoro yake, akatizira Jerusaremu.
Saizvozvo vaIsiraeri vakamukira imba yaDhavhidhi kusvikira zuva ranhasi.

11

Zvino Rehobhoamu akati achisvika Jerusaremu, akaunganidza veimba yaJudha naBhenjamini, varume vakatsaurwa vaiva nezviuru zvine zana namakumi masere, vaigona kurwa, kuti varwe navaIsiraeri, kuti vadzosere ushezve kuna Rehobhoamu.
Asi shoko raJehovha rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari, richiti,
Taura naRehobhoamu mwanakomana waSoromoni, mambo waJudha, navaIsiraeri vose paJudha naBhenjamini, uti,
zvanzi naJehovha, Hamufaniri kukwira kundorwa nehama dzenyu; mumwe nomumwe ngaadzokere kumba kwake, nokuti chinhu ichi chinobva kwandiri. Naizvozvo vakateerera mashoko aJehovha, vakadzoka pakundorwa naJerobhoami.
Rehobhoamu akagara Jerusaremu, akavaka maguta enhare paJudha.
Akavaka Bheterehemu, neEtami, neTekoa,
neBhetizuri, neSoko, neAdhuramu,
neGati, neMaresha, neZifi,
neAdhoraimi, neRakishi, neAzeka,
neZora, neAijaroni, neHebhuroni, akanga ari maguta akakombwa paJudha neBhenjamini.
Akasimbisa nhare, akaisamo vakuru, nezvokudya zvakaunganidzwamo, namafuta, newaini.
Muguta rimwe nerimwe akaisa nhovo namapfumo, akaasimbisa kwazvo kwazvo. Judha naBenjamini vakanga vari vake.
Navapirisiti navaRevhi, vaiva pakati palsiraeri yose, vakaungana kwaari, vachibva panyika yavo yose.
Nokuti vaRevhi vakabva pamafuro avo nefuma yavo, vakaenda kwaJudha neJerusaremu; nokuti Jerobhoami navanakomana vake vakavadzinga, kuti varege kubata basa roupirisiti pamberi paJehovha.
Iye akazvitsaurira vapirisiti vapamatunhu akakwirira, navezvifananidzo zvenhongo dzembudzi, navemhuru dzaakaita.
Zvino vose pakati pamarudzi ose avaIsiraeri, vakanga vachitsvaka Jehovha nomoyo wose, vakavatevera, vakaenda Jerusaremu kuzobayira Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
Saizvozvo vakasimbisa ushe hwaJudha, vakasimbisa Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni, makore matatu; nokuti vakafamba panzira yaDhavhidhi naSoromoni makore matatu.
Rehobhoamu akawana mukadzi, Maharati mukunda waJerimoti mwanakomana waDhavhidhi, nowaAbhihairi mukunda waEriabhi mwanakomana waJese.
Iye akamuberekera vanakomana, vaiti: Jeushi, naShamaria, naZahami.
Pashure akawanawo Maaka mukunda waAbhusaromu; iye akamuberekera Abhija, naAtai, naZiza, naSheromiti.
Rehobhoamu akada Maaka mukunda waAbhusaromu kupfuura vakadzi vake vose navarongo vake; (nokuti akawana vakadzi vane gumi navasere navarongo vana makumi matanhatu, akabereka vanakomana vana makumi maviri navasere navanasikana makumi matanhatu.)
Rehobhoamu akagadza Abhija mwanakomana waMaaka ave mukuru nomuchinda pakati pavana vababa vake; nokuti akanga achida kumuita mambo.
Akaita nokungwara, akaparadzira vanakomana vake vose panyika dzose dzaJudha naBhenjamini kumaguta ose enhare; akavapa zvokudya zvakawanda. Akavatsvakirawo vakadzi vazhinji.

12

Zvino ushe hwaRehobhoamu hwakati hwasimbiswa, iye ava nesimba, akarasha murayiro waJehovha, navaIsiraeri vose pamwechete naye.
Zvino pagore rechishanu ramambo Rehobhoamu, Shishaki mambo weIjipiti akasvika kuzorwa neJerusaremu, nokuti vakanga vatadzira Jehovha,
ane ngoro dzine chiuru chimwe namazana maviri, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvina makumi matanhatu, navanhu vakabva naye Ijipiti, vakanga vasingagoni kuverengwa, vaiti: vaRubhimi, navaSukimi, navaItiopia.
Akakunda maguta akakombwa aJudha, akasvika Jerusaremu.
Zvino Shemaya muporofita akasvika kuna Rehobhoamu nokumachinda aJudha akanga akaungana paJerusaremu nemhaka yaShishaki, akati kwavari, Zvanzi naJehovha, Mandirasha, saka ndakakuregeraiwo paruoko rwaShishaki.
Ipapo machinda aIsiraeri namambo vakazvininipisa, vakati, Jehovha akarurama.
Zvino Jehovha akati achiona kuti vazvininipisa, shoko raJehovha rikasvika kuna Shemaya, richiti, Vazvininipisa, handingavaparadzi, asi ndobva ndovarwira; kutsamwa kwangu hakungadururwi pamusoro peJerusaremu noruoko rwaShishaki.
Kunyange zvakadaro vachava varanda vake; kuti vazive kuti zvakadini kundishumira ini nokushumira ushe hwenyika dzimwe.
Naizvozvo Shishaki mambo weIjipiti akandorwa neJerusaremu, akatora fuma yeimba yaJehovha, nefuma yeimba yamambo; akazvitora zvose; akatorawo nhovo duku dzose dzendarama dzakaitwa naSoromoni.
Ipapo mambo Rehobhoamu akaita panzvimbo yazvo nhovo duku dzendarira, akadziisa pamaoko avakuru vavarindi, vairinda mukova weimba yamambo.
Zvino nguva dzose kana mambo achipinda mumba maJehovha, varindi vaidzibata, ndokudzidzoserazve mumba mavarindi.
Zvino akati azvininipisa, kutsamwa kwaJehovha kukabviswa kwaari, akasaparadzwa chose; uyezve, kuna Judha zvimwe zvakanaka zvakawanikwa.
Nokudaro mambo Rehobhoamu akazvisimbisa paJerusaremu, akabata ushe; nokuti Rehobhomu akanga ane makore makumi mana nerimwe pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe paJerusaremu makore ane gumi namanomwe, iro guta rakanga ratsaurwa naJehovha pamarudzi ose alsiraeri, kuti aise zita rakemo; zita ramai vake rakanga riri Naama muAmoni.
Akaita zvakaipa, nokuti haana kushingaira kutsvaka Jehovha.
Zvino mabasa aRehobhoamu, okutanga nookupedzisira, haana kunyorwa here mumashoko omuporofita Shemaya, noomuoni Idho, mazita amadziteteguru achiverengwawo? Zvino kurwa kwakanga kuripo pakati paRehobhoamu naJerobhoami nguva dzose.
Rehobhoamu akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi; Abhija mwanakomana wake akamutevera paushe.

13

Pagore regumi namasere ramambo Jerobhoami, Abhija akatanga kubata ushe hwaJudha.
Akabata ushe paJerusaremu makore matatu; zita ramai vake rakanga riri Mikaya, mukunda waUrieri weGibhiya. Kurwa kukavapo pakati paAbhija naJerobhoami.
Abhija akarwa ane hondo yavarwi dzaiva mhare, varume vakatsaurwa vane zviuru zvina mazana mana; Jerobhoamiwo akagadzira hondo kuzorwa naye, ana varume vakatsaurwa vane zviuru zvina mazana masere, vaiva varume vane simba noumhare.
Abhija akamira pamusoro pegomo rainzi Zemaraimi, raiva panyika yamakomo yaEfuremu, akati, Ndinzwei, Jerobhoami navaIsiraeri vose!
Ko hamufaniri kuziva here kuti Jehovha Mwari walsiraeri akapa Dhavhidhi ushe hwaIsiraeri nokusingaperi, iye navanakomana vake nesungano yomunyu?
Asi Jerobhoami mwanakomana waNebhati, muranda waSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, akasimuka akamukira ishe wake.
Kukaunganira kwaari vanhu vakaipa, vakaisvoipa, vakazvisimbisa kundorwa naRehobhoamu mwanakomana waSoromoni, iye Rehobhoamu achiri muduku ano moyo unotya, asingagoni kurwa navo.
Zvino munoda kurwa novushe bwaJehovha bwuri mumaoko avanakomana vaDhavhidhi; zvamuri vanhu vazhinji, mune mhuru dzendarama dzakaitwa naJerobhoami kuti vave vamwari venyu.
Hamuna kudzinga here vapirisiti vaJehovha, vanakomana vaAroni, navaRevhi, imi mukazvitsaurira vapirisiti netsika dzavanhu vedzimwe nyika? Naizvozvo Ani naani anouya kuzvitsaurira Mwari ane nzombe imwe namakondobwe manomwe, iye angava mupirisiti wavamwari vasati vari vamwari.
Asi kana tirisu, Jehovha ndiMwari wedu, hatina kumurasha; isu tina vapirisiti vanoshumira Jehovha, ivo vanakomana vaAroni, navaRevhi pamabasa avo.
Ndivo vanopisira Jehovha zvipiriso zvinopiswa nezvinonhuwira mangwanani ose namadekwana ose; nezvingwa zvokuratidza vanozvigadzira patafura yakaisvonaka; nechigadziko chendarama nemwenje yacho, kuvhenekera madekwana ose; nokuti tinochengeta zvatakarairwa naJehovha Mwari wedu; asi imi makamurasha.
Zvino tarirai, Mwari anesu achititungamirira, navapirisiti vake vane hwamanda dzokuridza nadzo, kuti vakuridzirei mhere imi. Nhandi vana vaIsiraeri, regai kurwa naJehovha Mwari wamadzibaba enyu; nokuti hamungakundi.
Asi Jerobhoami akaisa vavandiri kuti vavakombe necheshure kwavo; zvino ivo vakava pamberi paJudha, navavandiri vakanga vari shure kwavo.
Zvino vaJudha vakati vachicheuka, vakaona kurwa mberi kwavo neshure kwavo; vakachema kuna Jehovha, vapirisiti vakaridza hwamanda.
Ipapo vanhu vaJudha vakaridza mhere; vakati varidza mhere, Mwari akaparadza Jerobhoami navaIsiraeri vose pamberi paAbhija naJudha.
Vana vaIsiraeri vakatiza pamberi paJudha, Mwari akavaisa mumaoko avo.
Abhija navanhu vake vakavauraya nokuuraya kukuru; naizvozvo varume vakatsaurwa vane zviuru zvina mazana mashanu vakaurawa pakati paIsiraeri.
Vana vaIsiraeri vakamanikidzwa saizvozvo nenguva iyo, vana vaJudha vakakunda, nokuti vakavimba naJehovha, Mwari wamadzibaba avo.
Abhija akateverera Jerobhoami, akamutorera maguta, aiti: Bhetieri nemisha yaro, neJeshana nemisha yaro, neEfironi nemisha yaro.
Jerobhoami haana kuzova nesimbazve pamazuva aAbhija; Jehovha ndokumurova, akafa.
Asi Abhija akazvisimbisa, akawana vakadzi vane gumi navana, akabereka vanakomana vana makumi maviri navaviri, navanasikana vane gumi navatanhatu.
Zvino mamwe mabasa aAbhija, netsika dzake, namashoko ake, zvakanyorwa padudziro yomuporofita Idho.

14

Zvino Abhija akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi; Asa mwanakomana wake akamutevera paushe, pamazuva ake nyika yakanga ino rugare makore ane gumi.
Asa akaita zvakanaka nezvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake.
Nokuti akabvisa aritari dzavamwari vatorwa, namatunhu akakwirira, akaputsa shongwe, nokutemawo matanda okunamata nawo;
akaraira vaJudha kuti vatsvake Jehovha Mwari wamadzibaba avo, nokuchengeta murau nomurayiro.
Akabvisawo pamaguta ose avaJudha matunhu akakwirira nezvifananidzo zvezuva; ushe hukava norugare iye ari mambo.
Akavaka maguta akakombwa paJudha; nokuti nyika yakanga ino rugare, akanga asina kurwa pamakore iwayo; nokuti Jehovha akanga amuzorodza.
Nokuti akati kuvaJudha, Ngativake maguta iwayo, tiapoteredze namasvingo, neshongwe, namasuo, namazariro; nyika ichiri pamberi pedu, nokuti takatsvaka Jehovha Mwari wedu; takamutsvaka, akatizorodza pamativi ose. Ipapo vakavaka, vakagara zvakanaka.
Asa akanga ane hondo yavaJudha, vane zviuru zvina mazana matatu, vakanga vakashonga nhovo huru namapfumo; neyavaBhenjamini vane zviuru zvina mazana maviri namakumi masere, vakanga vakashonga nhovo vaifura nouta; ava vose vaiva varume vane simba noumhare.
Zvino Zera multiopia akauya kuzorwa navo nehondo yavanhu vane zviuru zvezviuru, nengoro dzina mazana matatu; akasvika Maresha.
Ipapo Asa akabuda kuzorwa naye, vakagadzira kuzorwa pamupata weZefata paMaresha.
Asa akachema kuna Jehovha Mwari wake, akati, Jehovha hakuna angabatsira asine simba kurwa nounesimba, asi imi moga; tibatsirei Jehovha Mwari wedu; nokuti tinovimba nemi, tasvika kuzorwa navazhinji ava nezita renyu. Imi Jehovha, ndimi Mwari wedu; munhu ngaarege kukukundai imi.
Ipapo Jehovha akaparadza vaItiopia pamberi paAsa, napamberi pavaJudha, vaItiopia vakatiza.
Asa navanhu vaakanga anavo vakavateverera kusvikira paGerari; vaItiopia vakaurawa vazhinji, vakakoniwa kuzosimbazve; nokuti vakaparadzwa pamberi paJehovha napamberi pehondo yake vaJudha vakaenda nezvizhinji kwazvo zvavakapamba.
Vakaparadza maguta ose akapoteredza Gerari; nokuti vakavhunduswa naJehovha; vakapamba maguta ose, nokuti kwakanga kune zvingapambwa zvizhinji maari.
Vakaparadzawo matende ezvipfuwo, vakatapa makwai mazhinji nemakamera, ndokudzokera Jerusaremu.

15

Zvino Mweya waMwari wakauya pamusoro paAzaria mwanakomana waOdhedhi;
akabuda kundosangana naAsa, akati kwaari, Nditeererei imi, Asa navaJudha navaBhenjamini mose; Jehovha anemi, kana imi munaye; kana mukamutsvaka achawanikwa nemi; asi kana mukamurasha, iye achakurashawo.
Zvino nguva huru vaIsiraeri vakanga vasina Mwari wezvokwadi, kana mupirisiti anodzidzisa, kana murayiro;
asi vakati vachitendeukira kuna Jehovha Mwari waIsiraeri pakutambudzika kwavo, nokumutsvaka, iye akawanikwa navo.
Zvino nenguva iyo vaibuda novaipinda vakanga vagere panyika idzo, vaiva pakutambudzika kukuru.
Vaiparadzana, rumwe rudzi ruchiparadza rumwe, rimwe guta richiparadza rimwe; nokuti Mwari aivatambudza nenhamo dzose.
Asi ivai nesimba, maoko enyu ngaarege kushaiwa simba; nokuti basa renyu richapiwa mubayiro.
Zvino Asa akati achinzwa mashoko awa, nezvakaporofitiwa nomuporofita Odhedhi, ndokutsunga moyo, akabvisa zvainyangadza panyika yose yaJudha naBenjamini, napamaguta aakanga akunda panyika yamakomo yaEfuremu; akavandudza aritari yaJehovha, yakanga iri pamberi pebiravira raJehovha.
Ipapo akaunganidza vaJudha, navaBhenjamini vose, navatorwa vakanga vagere pakati pavo vaibva kuna Efuremu, naManase, naSimiyoni, nokuti vazhinji vaibva kuna Isiraeri vakauya kwaari, pakuona kwavo kuti Jehovha Mwari wake anaye.
Naizvozvo vakaungana paJerusaremu nomwedzi wechitatu, negore regumi namashanu rokubata ushe kwaAsa.
Vakabayira Jehovha zuva irero zvimwe zvavakanga vapamba vakauya nazvo, zvaiti: Nzombe dzina mazana manomwe, namakwai ane zviuru zvinomwe.
Vakazvisunga kutsvaka Jehovha Mwari wamadzibaba avo nemoyo yavo yose uye nemweya yavo yose;
uye kuti ani naani asingatsvaki Jehovha Mwari waIsiraeri aurawe, kana ari muduku kana ari mukuru, kana mukadzi kana murume.
Vakapika kuna Jehovha nenzwi guru, nokupururudza, nehwamanda uye nemimanzi.
VaJudha vose vakafara nokupika uku; nokuti vakanga vapika nemoyo yavo yose, nokumutsvaka nokuda kwavo kwose; iye akawanikwa navo; Jehovha ndokuvapa zororo kumativi ose.
Akabvisawo Maaka mai vamambo Asa, pauhosi hwavo; nokuti vakanga vaitira Ashera chifananidzo chinonyangadza; Asa akaparadza chifananidzo chavo, akachikuyakuya, ndokuchipisa parukova Kidhironi.
Asi matunhu akakwirira haana kubviswa pakati paIsiraeri; kunyange zvakadaro moyo waAsa wakanga wakarurama kwazvo mazuva ake ose.
Akaisa mumba maMwari zvinhu zvakanga zvatsaurirwa Mwari nababa vake, nezvakanga zvatsaurwa naiye amene, sirivha, nendarama, nemidziyo.
Kurwa hakuna kuzovapo kusvikira pagore ramakumi matatu namashanu rokubata ushe kwaAsa.

16

Zvino negore ramakumi matatu namatanhatu rokubata ushe kwaAsa, Bhaasha mambo waIsiraeri akakwira kundorwa naJudha, akavaka Rama, kuti arege kutendera munhu kubuda kana kupinda kuna Asa mambo waJudha.
Ipapo Asa akabudisa sirivha nendarama muzvivigiro zvefuma yeimba yaJehovha neimba yamambo, akatuma shoko kuna Bhenihadhadhi mambo weSiria, akanga agere Dhamasiko, akati,
Sungano iripo pakati pangu nemi, sezvayakavapo pakati pababa vangu nababa venyu; tarirai, ndinokutumirai sirivha nendarama; endai muputse sungano yenyu naBhaasha mambo waIsiraeri, abve kwandiri.
Bhenihadhadhi akateerera mambo Asa, akatuma vakuru vehondo dzake kundorwa namaguta aIsiraeri, akakunda Ijoni, neDhani, neAbherimaimi, namaguta ose amatura aNafutari.
Zvino Bhaasha akati achizvinzwa, akarega kuvaka Rama, akarega basa rake.
Ipapo mambo Asa akatora vaJudha vose; vakandobvisa mabwe eRama, namatanda aro zvaakanga avaka nazvo iye Bhaasha, akavaka nazvo Gebha neMizipa.
Zvino nenguva iyo muoni Hanani akasvika kuna Asa mambo waJudha, akati kwaari, Zvawakavimba namambo weSiria, ukasavimba naJehovha Mwari wako, zvino hondo yamambo weSiria yapukunyuka paruoko rwako.
Ko vaItiopia navaRubhimi vakanga vasi hondo huru-huru, vane ngoro navatasvi vamabhiza vazhinji here? Kunyange zvakadaro, zvawakavimba naJehovha, iye akavaisa muruoko rwako.
Nokuti meso aJehovha anotarira-tarira kumativi ose enyika yose, kuti aratidze simba rake kuna iye ano moyo wakarurama kwazvo kwaari. Pachinhu ichi waita sebenzi; nokuti kubva zvino uchavingwa nokurwa.
Ipapo Asa akatsamwira muoni, akamuisa mutorongo; nokuti akanga amutsamwira kwazvo nokuda kwechinhu ichi. Nenguva iyo Asa akatambudzawo vamwe vanhu.
Zvino tarirai, mabasa aAsa, okutanga nookupedzisira, akanyorwa mubhuku yamadzimambo aJudha naaIsiraeri.
Asi pagore ramakumi matatu namapfumbamwe rokubata kwake ushe, Asa akazonzwa makumbo; urwere hwake hukanyanya kwazvo; kunyange zvakadaro, paurwere hwake haana kutsvaka Jehovha, asi nanga.
Asa akavata namadzibaba ake, akafa negore ramakumi mana nerimwe rokubata kwake ushe.
Vakamuviga pamuhwiro hwake, hwaakanga azvivezera muguta raDhavhidhi, vakamuradzika panhovo dzizere nezvinonhuwira zvamarudzi mazhinji, zvakanga zvagadzirwa navaiti vezvinonhuwira vakangwara; vakamupis ira zvizhinji-zhinji.

17

Zvino Jehoshafati mwanakomana wake akabata ushe pachigaro chake, akazvisimbisa kundorwa navaIsiraeri.
Akaisa varwi mumaguta ose akakombwa aJudha, akaisawo mapoka avarwi panyika yaJudha, napamaguta aEfuremu, akanga akundwa naAsa baba vake.
Jehovha akava naJehoshafati, nokuti akafamba munzira dzokutanga dzababa vake Dhavhidhi; haana kundobvunza vaBhaari;
asi akabvunza Mwari wababa vake, akafamba nemirairo yake asingateveri mabasa aIsiraeri.
Saka Jehovha akasimbisa ushe paruoko rwake; vaJudha vose vakavigira Jehoshafati zvipo, akava nefuma nokukudzwa zvizhinji.
moyo wake ukashingairira nzira dzaJehovha; uye akabvisawo matunhu akakwirira namatanda okunamata nawo pakati paJudha.
Uye pagore rechitatu rokubata kwake ushe akatuma machinda ake, vanaBhenihairi, naObhadhiya, naZekariya, naNetaneri, naMikaya, kundodzidzisa mumaguta aJudha;
uye pamwechete navo vaRevhi, vana Shemaya, naNetania, naZebhadhia, naAshaheri, naShemiramoti, naJehonatani, naAdhonia, naTobhiya, naTobhiadhonia, vari vaRevhi; uye pamwechete navo Erishama naJehoramu, vapirisiti.
Vakandodzidzisa pakati paJudha, vane bhuku yomurayiro waJehovha; vakafamba vachipota namaguta ose aJudha, vachidzidzisa pakati pavanhu.
Ushe hwose hwenyika dzose dzakanga dzakapoteredza Judha, vakavhunduswa naJehovha, vakasarwa naJehoshafati.
Vamwe vaFirisitia vakavigira Jehoshafati zvipo, nesirivha yomutero; vaArabhiawo vakamuvigira makwai, makondohwe ane zviuru zvinomwe namazana manomwe, nenhongo dzembudzi dzine zviuru zvinomwe namazana manomwe.
Jehoshafati akazova mukuru kwazvo, akavaka pakati paJudha nhare namaguta amatura.
Waiva namabasa mazhinji mumaguta aJudha, navarwi, varume vane simba noumhare paJerusaremu.
Zvino ndiwo mazita avo nedzimba, dzamadzibaba avo: Pakati paJudha, vakuru vezviuru: Adhina mukuru, uye pamwechete naye varume vane simba noumhare vane zviuru zvina mazana matatu;
tevere Jehohanani mukuru, uye pamwechete naye varume vane zviuru zvina mazana maviri namakumi masere;
tevere Amasia mwanakomana waZikiri, wakazvipa kuna Jehovha nomoyo wake wose; uye pamwechete naye varume vane simba noumhare vane zviuru pakati
pavaBhenjamini: Eriadha munhu ane simba noumhare, uye pamwechete naye varume vane zviuru zvina mazana maviri vakanga vakabata uta nenhovo;
tevere Jehozabhadhi, uye pamwechete naye varume vane zviuru zvine zana namakumi masere, vakanga vakazvigadzirira kurwa.
Ndivo vaibatira mambo, vamwe vakanga vaiswa namambo mumaguta akakombwa panyika yose yaJudha vasingaverengwi.

18

Zvino Jehoshafati akanga ane fuma zhinji nokukudzwa kukuru; akawaniranawo naAhabhi.
Zvino mamwe makore akati apfuura, iye akaburukira Samaria kuna Ahabhi. Ahabhi akamuurayira iye navanhu vaakanga anavo makwai nenzombe zhinji, akamukurudzira kuenda naye RamotiGiriyadhi.
Ipapo Ahabhi mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati mambo waJudha, Muchaenda neni RamotiGiriyadhi here? Iye akapindura, akati, Ini ndakaita sewe, navanhu vangu savanhu vako; tichaenda newe kundorwa.
Jehoshafati akati kuna mambo waIsiraeri, Dombobvunza hako shoko raJehovha nhasi.
Zvino mambo waIsiraeri akaunganidza vaporofita, varume vaiva namazana mana, akati kwavari, Tiende kundorwa neRamotiGiriyadhi here, kana ndirege? Ivo vakati, Endai, nokuti Mwari achariisa mumaoko amambo.
Asi Jehoshafati akati, Hakuchina mumwe muporofita waJehovha pano here, timubvunze?
Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, Mumwe murume achiko, watingabvunza kuda kwaJehovha naye, asi ini ndinomuvenga, nokuti haatongoporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi mazuva ose zvakaipa; ndiye Mikaya mwanakomana waImira. Jehoshafati akati, Mambo ngaarege kudaro.
Zvino mambo waIsiraeri akadana muranda, akati, Kurumidza undotora Mikaya mwanakomana waImira.
Zvino mambo waIsiraeri naJehoshafati mambo waJudha vakanga vagere mumwe nomumwe pachigaro chake choushe, vagere vakafuka nguvo dzavo dzoushe padare pasuo reSamaria; vaporofita vose vakaporofita pamberi pavo.
Zedhekia mwanakomana waKenaani akazviitira nyanga dzamatare, akati, Zvanzi naJehovha, Nedzidzi muchatunga vaSiria, kusvikira vapera.
Navamwe vaporofita vose vakaporofita saizvozvo, vakati, Endai RamotiGiriyadhi, muchakunda, nokuti Jehovha achariisa paruoko rwamambo.
Zvino nhume yakanga yandodana Mikaya yakataura kwaari, ikati, Tarirai, mashoko avaporofita anobvumirana achitaura zvakanaka kuna mambo; zvino ndinokumbira kuti shoko renyu rive seshoko romumwe wavo, mutaurewo zvakanaka.
Ipapo Mikaya akati, NaJehovha mupenyu, izvo zvinorehwa naMwari wangu, ndizvo zvandichataura.
Zvino akati achisvika kuna mambo, mambo akati kwaari, Mikaya, tiende kundorwa neRamotiGiriyadhi here, kana ndirege? Iye akati, Endai henyu, muchakunda; vachaiswa muruoko rwenyu.
Mambo akati kwaari, Ndinofanira kukupikisa kangani kuti undiudze zvokwadi yoga nezita raJehovha?
Iye akati, Ndakaona vaIsiraeri vose vakapararira pamakomo samakwai asina mufudzi; Jehovha akati, Ava havana tenzi, mumwe nomumwe ngaadzokere kumusha kwake norugare.
Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, Handina kukuudza here, kuti haangaporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa?
Mikaya akati, Zvino chinzwai shoko raJehovha, Ndakaona Jehovha agere pachigaro chake choushe, nehondo dzose dzokudenga dzimire kurudyi rwake nokuruboshwe rwake.
Ipapo Jehovha akati, Ndianiko achandonyengera Ahabhi, aende, andourawa paRamotiGiriyadhi? Zvino mumwe akataura achiti zvokuti, nomumwezve akati zvokuti.
Zvino mweya ukabuda, ukamira pamberi paJehovha, ukati, Ini ndichandomunyengera. Jehovha akati kwauri, Neiko?
Iwo ukati, Ndichaenda, ndichava mweya wenhema mumiromo yavaporofita vake vose. Iye akati, Iwe ndiwe uchamunyengera, uchakundawo; enda hako, unoita saizvozvo.
Naizvozvo zvino, tarirai Jehovha akaisa mweya wenhema mumiromo yavaporofita venyu ava vose, asi Jehovha akataura zvakaipa pamusoro penyu.
Ipapo Zedhekia mwanakomana waKenaani akaswedera, akarova Mikaya padama rake, akati, Mweya waJehovha wakaenda nepiko uchibva kwandiri kundotaura newe?
Mikaya akati, Uchazviona musi uyo wauchandovanda nawo mukamuri yomukati.
Ipapo mambo waIsiraeri akati, Batai Mikaya, mumuise kuna Amoni mubati weguta, nokuna Joashi mwanakomana wamambo,
muti, Zvanzi namambo, Pinzai munhu uyu mutorongo, mumupe zvokudya zvokutambudzika, nemvura yokutambudzika, kusvikira ndichidzoka norugare.
Ipapo Mikaya akati, Kana mukatongodzoka norugare, Jehovha haana kutaura neni. Akati, Inzwai, imi vanhu, imi mose.
Naizvozvo mambo waIsiraeri naJehoshafati mambo waJudha vakaenda RamotiGiriyadhi.
Zvino mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, Ini ndichazvishandura, ndigondorwa; asi iwe chifuka nguvo dzako dzoushe. Mambo waIsiraeri akazvishandura, akandorwa.
Zvino mambo weSiria akanga araira vatariri vengoro dzake, akati, Regai kurwa navaduku kana navakuru, asi namambo waIsiraeri oga.
Zvino vatariri vengoro vakati vachiona Jehoshafati, vakati, Ndiye mambo waIsiraeri. Naizvozvo vakatsaukira kundorwa naye; asi Jehoshafati wakaridza mhere, Jehovha akamubatsira; Mwari akavakurudzira kumurega.
Zvino vatariri vengoro vakati vachiona kuti haazi mambo waIsiraeri, vakadzoka pakumutevera.
Zvino mumwe murume akawembura uta hwake asingashumbi hake, akafura mambo waIsiraeri pakati pezvisungo zvenguvo dzake dzokurwa nadzo; ipapo mambo akati kumufambisi wengoro, Dzoka, undiise kunze kwehondo, nokuti ndakuvadzwa kwazvo.
Kurwa kukanyanya kwazvo nomusi uyo; asi mambo waIsiraeri wakazvitsigira mungoro yake akarwa navaSiria kusvikira madekwana; zvino panguva yokuvira kwezuva akafa.

19

Zvino Jehoshafati mambo waJudha akadzokera norugare kumusha kwake paJerusaremu.
Ipapo Jehu mwanakomana womuoni Hanani akaenda kundosangana naye, akati kuna mambo Jehoshafati, Zvakanaka kubatsira vakaipa, nokuda vanovenga Jehovha here? Nokuda kwechinhu ichi Jehovha akutsamwirai.
Kunyange zvakadaro, zvimwe zvinhu zvakanaka zvakawanikwa kwamuri, nokuti makabvisa Asheroti panyika, mukatsvaka Mwari nomoyo wose.
Jehoshafati akagara paJerusaremu, akabudazve pakati pavanhu kubva paBheerishebha kusvikira kunyika yamakomo yaEfuremu, akavadzoserazve kuna Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
Akagadza vatongi panyika pamaguta ose akakombwa aJudha, guta rimwe nerimwe;
akati kuvatongi, Chenjerai zvamunoita; nokuti hamutongeri vanhu imi asi Jehovha; iye anemi pakutonga kwenyu.
Naizvozvo zvino kutya Jehovha ngakuve nemi; chenjerai, muzviite, nokuti kuna Jehovha Mwari wedu hakune zvakaipa, kana kutsaura vanhu, kana kugamuchira fufuro.
Jehoshafati akaisawo paJerusaremu vamwe vaRevhi navapirisiti, navakuru vedzimba dzamadzibaba aIsiraeri, kuzotonga zvinhu zvaJehovha nemhaka dzenharo. Ipapo vakadzokera Jerusaremu.
Akavaraira, achiti, Ndizvo zvamunofanira kuita muchitya Jehovha, makatendeka, mune moyo yakarurama.
Zvino kana mhaka yenharo ikasvika kwamuri ichibva kuhama dzenyu dzigere pamaguta avo, kana riri shoko rokuurayana, kana romurau kana murayiro, kana zvakatemwa kana zvakatongwa, munofanira kuvanyevera kuti varege kupara mhaka pana Jehovha, kuti murege kutsamwirwa imi nehama dzenyu; itai izvozvo, mugorega kuva nemhosva.
Zvino tarirai, Amaria mupirisiti mukuru achakurairai pamashoko ose aJehovha; naZebhadhia mwanakomana waIshimaeri, mutariri weimba yaJudha, pamashoko ose amambo; navaRevhi vachava vatariri venyu. Itai nesimba, Jehovha ave navakanaka.

20

Shure kwaizvozvo vana vaMoabhu, navana vaAmoni, navamwe vavaAmoni pamwechete navo, vakasvika kuzorwa naJehoshafati.
Ipapo vamwe vakasvika, vakaudza Jehoshafati, vachiti, Vanhu vazhinji vanouya, vachibva Siria mhiri kwegungwa, kuzorwa nemi; tarirai, vari paHazazonitamari, (ndiro Enigedi).
Ipapo Jehoshafati akatya, akashingaira kundobvunza Jehovha; akatara zuva rokuzvinyima zvokudya panyika yose yavaJudha.
VaJudha vakaungana kuzotsvaka rubatsiro kuna Jehovha; vakabva kumaguta ose aJudha kuzotsvaka Jehovha.
Jehoshafati akasimuka paungano yavaJudha navanhu veJerusaremu, mumba maJehovha, pamberi poruvazhe rutsva;
akati, Haiwa, Jehovha Mwari wamadzibaba edu, imi hamuzi Mwari ari kudenga here? Imi hamuzi mubati woushe hwose hwendudzi here? Paruoko rwenyu pane simba noushe, naizvozvo hapano munhu angakudzivisai.
Imi Mwari wedu, hamuna kudzinga here vaigara panyika ino pamberi pavanhu venyu vaIsiraeri, mukaipa vana vaAbhurahamu shamwari yenyu nokusingaperi?
Vakagaramo, vakakuvakiraimo imba tsvene yezita renyu, vachiti,
Kana tikawirwa nezvakaipa, kana munondo wokutonga, kana denda, kana nzara, tichamira pamberi peimba ino napamberi penyu, (nokuti zita renyu riri muimba ino), tigochema kwamuri tiri pakutambudzika kwedu; ipapo muchatinzwa nokutirwira,
Zvino tarirai vana vaAmoni navaMoabhu navapagomo reSeiri, vamusina kutendera vaIsiraeri kupinda pakati pavo nguva yavakabva panyika yeIjipiti, asi vakavarega, vakasavaparadza;
tarirai votitsiva, vachiuya kuzotidzinga panyika yenyu, yamakatipa ive nhaka yedu.
Haiwa, Mwari wedu, hamungavatongi here? Nokuti hatine simba rokurwa navazhinji ava vanouya kuzorwa nesu; hatizivi chatingaita, asi meso edu akatarira kwamuri.
Ipapo vaJudha vose vakamira pamberi paJehovha, pamwechete nepwere dzavo, navakadzi vavo, navana vavo.
Mweya waJehovha ukauya pamusoro paJahazieri, mwanakomana waZekariya, mwanakomana waBhenaya, mwanakomana waJeieri, mwanakomana waMatanya, muRevhi, wavanakomana vaAsafi, pakati peungano;
iye akati, Teererai, imi vaJudha mose, nemi mugere paJerusaremu, nemi mambo Jehoshafati; zvanzi naJehovha kwamuri, Musatya, kana kuvhunduka nokuda kwavanhu ava vazhinji, nokuti kurwa hakuzi kwenyu, asi ndokwaMwari.
Burukai mangwana mundorwa navo; tarirai vanokwira napamukwidza weRizi; muchavawana pakuguma kwomupata, pamberi perenje reJerueri.
Imi hamungafaniri henyu kurwapo; zvigadzireipo, murambe mumire henyu, muone kurwirwa kwenyu naJehovha, imi vaJudha naveJerusaremu; musatya kana kuvhunduswa; budai mangwana mundorwa navo, nokuti Jehovha anemi.
Ipapo Jehoshafati akakotamisa musoro wake, chiso chakatarira pasi; vaJudha vose navakanga vagere Jerusaremu vakawira pasi pamberi paJehovha, vakanamata Jehovha.
NavaRevhi vavana vavaKohati, navana vavaKora, vakasimuka vakarumbidza Jehovha Mwari waIsiraeri nenzwi guru kwazvo.
Vakamuka mangwanani, ndokubudira kurenje reTekoa; zvino vakati vachibuda, Jehoshafati akamira, akati, Chindinzwai imi vaJudha nemi mugere Jerusaremu; tendai Jehovha Mwari wenyu, mugosimbiswa; tendai vaporofita vake, mugokunda.
Zvino akati arangana navanhu, akagadza vaifanira kuimbira Jehovha, nokumurumbidza nenguvo tsvene, vakafamba pamberi pehondo, vachiti, Vongai Jehovha, nokuti nyasha dzake hadziperi.
Zvino vakati vachitanga kuimba nokurumbidza, Jehovha akaisa vavandiri kuzorwa navana vaAmoni, navaMoabhu, navapagomo reSeiri, ivo vakanga vauya kuzorwa navaJudha; vakakundwa.
Nokuti vana vaAmoni navaMoabhu vakamukira vakanga vagere pagomo reSeiri kuti vavauraye nokuvaparadza chose; zvino vakati vapedza avo vakanga vagere paSeiri, mumwe nomumwe ndokubatsira pakuurayana.
Zvino vaJudha vakati vachisvika kurusvingo rwenharirire rwokurenje, vakatarira vanhu vazhinji, ndokuona zvava zvitunha zvawira pasi, kwakanga kusina akapukunyuka.
Zvino Jehoshafati navanhu vake vakati vachisvika kuzotora zvavakanga vapamba, vakawana pakati pavo fuma zhinji, nezvipfeko, nezvinhu zvinokosha, vakazvitorera izvo, asi vakakoniwa kuzvitakura zvose nokuwanda kwazvo; vakaita mazuva matatu vachitora mhambara, nokuda kwokuwanda kwazvo.
Zvino pazuva rechina vakaungana pamupata weBheraka; nokuti vakandokudza Jehovha ipapo; naizvozvo zita renzvimbo iyo rakatumidzwa Mupata weBheraka kusvikira zuva ranhasi.
Ipapo vanhu vose vaJudha naveJerusaremu vakadzoka, Jehoshafati akavatungamirira, vakadzokera Jerusaremu nomufaro; nokuti Jehovha akanga avafadza pamusoro pavavengi vavo.
Vakasvika Jerusaremu nemitengeramwa, nembira, nehwamanda, kusvikira paimba yaJehovha.
Ipapo ushe hwose hwenyika iyo hwakatya Mwari kwazvo, pakunzwa kwavo kuti Jehovha akarwa navavengi vaIsiraeri.
Zvino ushe hwaJehoshafati hwakava norugare; nokuti Mwari wake akamuzorodza pamativi ose.
Jehoshafati akabata ushe hwaJudha; akanga asvika makore makumi matatu namashanu pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namashanu; zita ramai vake rakanga riri Azubha, mukunda waShirihi.
Akafamba nenzira yababa vake Asa; haana kutsauka pairi, akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha.
Kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa, navanhu vakanga vachigere kutevera Mwari wamadzibaba avo nomoyo wose.
Zvino mamwe mabasa aJehoshafati, okutanga nookupedzisira, tarirai akanyorwa pamashoko aJehu, mwanakomana waHanani, akaiswa mubhuku yamadzimambo aIsiraeri.
Shure kwaizvozvi Jehoshafati mambo waJudha wakasungana naAhazia mambo waIsiraeri; iye aifamba nenzira yakaipa kwazvo;
akasungana naye pakuvaka zvikepe zvaienda Tarishishi; vakavaka zvikepe paEZiyonigebheri.
Ipapo Eriezeri mwanakomana waDhodhavhahu weMaresha akaporofita pamusoro paJehoshafati, akati, Zvawasungana naAhazia, Jehovha waparadza mabasa ako. Zvikepe zvikaputsika, zvikakoniwa kuenda Tarishishi.

21

Zvino Jehoshafati akavata namadzibaba ake, akavigwa namadzibaba ake muguta raDhavhidhi; Jehoramu mwanakomana wake akamutevera paushe.
Iye akanga ana vanununa, vaiva vanakomana vaJehoshafati, vaiti: Azaria, naJehieri, naZekariya, naAzaria, naMikaeri, naShefatia; ava vose vaiva vanakomana vaJehoshafati mambo waIsiraeri.
Baba vavo vakavapa zvipo zvikuru zvesirivha, nendarama, nezvinhu zvinokosha, pamwechete namaguta akakombwa paJudha; asi ushe wakahupa Jehoramu, nokuti iye akanga ari wedangwe.
Zvino Jehoramu akati apinda paushe hwababa vake, ndokuzvisimbisa, akauraya vanununa vake vose nomunondo, navamwewo vamachinda aIsiraeri.
Jehoramu akanga asvika makore makumi matatu namaviri pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore masere.
Akafamba nenzira yamadzimambo alsiraeri, sezvakaita imba yaAhabhi; nokuti mukunda waAhabhi akanga ari mukadzi wake; akaita zvakaipa pamberi paJehovha.
Kunyange zvakadaro Jehovha akanga asingadi kuparadza imba yaDhavhidhi, nokuda kwesungano yaakanga aita naDhavhidhi, uye nokuti akanga amupikira kuti achamupa mwenje iye navana vake nguva dzose.
Zvino namazuva ake vaEdhomu vakamukira vaJudha, vakazviitira mambo wavo.
Ipapo Jehoramu akaenda navakuru vake, ane ngoro dzake dzose naye; akamuka usiku, akaparadza vaEdhomu vakanga vakamukomba navakuru vengoro.
Naizvozvo vaEdhomu vakamukira vaJudha, kusvikira zuva ranhasi. Ipapo veRibhinawo vakamumukira nenguva iyo; nokuti akanga arasha Jehovha, Mwari wamadzibaba ake.
Akaitawo matunhu akakwirira pamakomo aJudha, akapatisa vagere Jerusaremu, nokutsausa vaJudha.
Ipapo mwadhi yakabva kumuporofita Eria, ikasvika kwaari, ichiti, Zvanzi naJehovha Mwari wababa vako Dhavhidhi, Zvausina kufamba nenzira dzababa vako Jehoshafati, kana nenzira dzaAsa mambo waJudha;
asi wakafamba nenzira dzamadzimambo aIsiraeri, ukapatisa Judha navagere Jerusaremu, sezvakaita imba yaAhabhi, ukaurayawo vanununa vako vakanga vakanaka kupfuura iwe;
zvino tarira, Jehovha acharova vanhu vako, navana vako, navakadzi vako, nezvinhu zvako zvose, nenjodzi yakaipa;
iwe uchava nehosha yakaipa yomuura kusvikira ura hwako huchibuda kunze nemhaka yehosha iyo zuva rimwe nerimwe.
Zvino Jehovha akakurudzira mweya yavaFirisitia neyavaArabhia, vakanga vari kurutivi rwavaltiopia, kuzorwa naJehoramu;
vakandorwa navaJudha, vakapinda nyika yavo nesimba, ndokutora nhumbi dzose dzavakawana mumba mamambo, navanakomana vake, navakadzi vake; naizvozvo haana kusarirwa nomwanakomana, kunyange nomumwe asi Jehoahazi, muduku wavanakomana vake vose.
Shure kwaizvozvo zvose Jehovha akamurova muura hwake nehosha isingagoni kurapwa.
Zvino makore maviri akati apera, ura hwake hukabuda kunze nemhaka yourwere, akafa nehosha dzakaipa; vanhu vake vakasamupisira, sezvavakapisira madzibaba ake.
Akanga asvika makore makumi matatu namaviri pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore masere; akaenda hake asingadikanwi, vakamuviga paguta raDhavhidhi, asi havana kumuviga pamarinda amadzimambo.

22

Zvino vagere Jerusaremu vakaita Ahazia, mwanakomana wake muduku, mambo panzvimbo yake, nokuti boka ravanhu, vakauya navaArabhia, vakanga vauraya vakuru vake vose. Naizvozvo Ahazia mwanakomana waJehoramu mambo waJudha, akabata ushe.
Ahazia akanga asvika makore makumi mana namaviri pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu gore rimwe; zita ramai vake rakanga riri Ataria, mukunda waOmiri.
Naiye akafamba nenzira dzeimba yaAhabhi; nokuti mai vake vaiva murairi wake pakuita zvakaipa.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha sezvakaitwa naveimba yaAhabhi; nokuti baba vake vakati vafa, ndivo vaiva varairi vake, vakamuisa pakuparadzwa.
Akafambawo sezvavakamuraira, akaenda naJehoramu mwanakomana waAhabhi mambo waIsiraeri, kundorwa naHazaeri mambo weSiria paRamotiGiriyadhi; vaSiria vakakuvadza Jehoramu.
Akadzokera Jezireeri kuzorapwa mavanga aakatemwa paRama, nguva yaakarwa naHazaeri mambo weSiria. Ipapo Azaria mwanakomana waJehoramu mambo waJudha, akaenda kundoona Jehoramu mwanakomana waAhabhi paJezireeri, nokuti akanga achirwara.
Zvino kuparadzwa kwaAhazia kwakabva kuna Mwari, zvaakaenda kuna Joramu; nokuti akati asvikapo, akaenda naJehoramu kundorwa naJehu mwanakomana waNishi, akanga azodzwa naJehovha kuti aparadze imba yaAhabhi.
Zvino Jehu akati achiitira imba yaAhabhi zvakanga zvatongwa naJehovha, akawana machinda aJudha navanakomana vavanununa vaAhazia vachibatira Ahazia, ndokuvauraya.
Akatsvaka Ahaziawo; vakamubata, (nokuti akanga avanda paSamaria), vakamuisa kuna Jehu vakamuuraya; vakamuviga vakati, Mwanakomana waJehoshafati, akatsvaka Jehovha nomoyo wake wose. Asi kwakanga kusina mumwe weimba yaAhazia akanga ane simba rokubata ushe. Ataria anoparadza imba yaAhazia, asi Joashi anopukunyuka
Zvino Ataria mai vaAhazia, vakati vachiona kuti mwanakomana wavo afa, vakasimuka, vakaparadza vose vorudzi rwamambo veimba yaJudha.
Asi Jehoshabhiyati mukunda wamambo wakatora Joashi mwanakomana waAhazia, akamuba pakati pavanakomana vamambo vaiurawa, akamuisa iye nomureri wake mumba mokuvata. Naizvozvo Jehoshabhiyati mukunda wamambo Jehoramu, mukadzi waJehoyadha mupirisiti, (nokuti waiva hanzvadzi yaAhazia), akamuvanza pana Ataria, naizvozvo havana kumuuraya.
Akagara navo akavanzwa mumba maMwari makore matanhatu; Ataria akabata ushe panyika.

23

Zvino negore rechinomwe Jehoyadha akazvisimbisa, akaita sungano navakuru vamazana, vaiti: Azaria mwanakomana waJerohami, naIshimaeri mwanakomana waJehohanani, naAzaria mwanakomana waObhedhi, naMaaseya mwanakomana waAdhaya, naErishafati mwanakomana waZikiri.
Vakapota nenyika yaJudha, vakakokera vaRevhi vapamaguta ose aJudha, navakuru vedzimba dzamadzibaba aIsiraeri, vakasvika Jerusaremu.
Ungano yose ikaita sungano namambo mumba maMwari. Iye akati kwavari, Tarirai, mwanakomana wamambo achabata ushe, sezvakarehwa naJehovha pamusoro pavanakomana vaDhavhidhi.
Munofanira kuita kudai, Imi munopinda neSabata, chetatu chenyu chavapirisiti navaRevhi, munofanira kuva varindi vemikova;
chimwe chetatu chinofanira kuva paimba yamambo, nechimwe chetatu pasuo renheyo; navanhu vose vanofanira kuva pavazhe dzeimba yaJehovha.
Asi ngakurege kuva nomunhu mumwe anopinda mumba maJehovha, asi vapirisiti navaRevhi vanobatamo; ivo ngavapinde nokuti vatsvene; asi vanhu vose vanofanira kurinda imba yaJehovha.
VaRevhi vanofanira kukomba mambo, mumwe nomumwe akabata nhumbi dzokurwa nadzo muruoko rwake; Ani naani anopinda paimba, anofanira kuurawa; mugare namambo kana achipinda uye kana achibuda.
Naizvozvo vaRevhi navaJudha vose vakaita zvose zvavakarairwa nomupirisiti Jehoyadha; mumwe nomumwe akatora vanhu vake, ivo vaifanira kupinda neSabata naivo vaifanira kubuda neSabata; nokuti mupirisiti Jehoyadha haana kutendera mapoka kuenda.
mupirisiti Jehoyadha akapa vakuru vamazana mapfumo, nenhovo, nenhovo duku, zvaiva zvamambo Dhavhidhi, zvakanga zviri mumba maMwari.
Akarongedza vanhu vose, mumwe nomumwe akabata nhumbi dzokurwa nadzo muruoko rwake, kubva kurutivi rworudyi rweimba kusvikira kurutivi rworuboshwe rweimba, napaaritari neimba, vakakomba mambo.
Ipapo vakabudisa mwanakomana wamambo, vakamudzika korona, vakamupa chipupuriro, vakamuita mambo; Jehoyadha navanakomana vake vakamuzodza; vakati, Mambo ngaararame!
Zvino mambo Ataria vakati vachinzwa mhere-mhere yavanhu vakanga vachimhanya nokurumbidza mambo, vakapinda kuvanhu mumba maJehovha;
akatarira, akaona mambo amire pambiru yake pavaipinda napo, navakuru navane hwamanda vamire kuna mambo; vanhu vose venyika vakafara, vakaridza hwamanda; vaimbiwo vakaridza zvokuridza nazvo, vakaraira vairumbidza nokuimba kwavo. Ipapo mambo Ataria vakabvarura nguvo dzavo, vakati, Ndamukirwa, ndamukirwa!
mupirisiti Jehoyadha akabudisa vakuru vamazana vairaira hondo, akati kwavari, Mubudisei pakati pemisara yavanhu; ani naani anomutevera iye, ngaaurawe nomunondo; nokuti mupirisiti wakati, Regai kumuuraya mumba maJehovha
Naizvozvo vakamudziurira nzira, vakaenda nenzira yaipinda mabhiza nayo kumba kwamambo, vakamuurayirapo.
Ipapo Jehoyadha akaita sungano, iye navanhu vose namambo, kuti vave vanhu vaJehovha.
Vanhu vose vakaenda kumba kwaBhaari, vakaiputsa; vakaputsanya aritari dzake nemifananidzo yake, vakauraya Matani mupirisiti waBhaari pamberi pearitari.
Jehoyadha akaraira mabasa eimba yaJehovha kuti atarirwe navapirisiti vaRevhi, vakanga varongedzwa naDhavhidhi mumba maJehovha, kuti vapisire Jehovha zvipiriso zvinopiswa, sezvakanyorwa pamurayiro waMozisi, nomufaro nokuimba, sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi.
Akagadzawo vatariri pamusuo eimba yaJehovha, kuti parege kupinda munhu wakasvibiswa nechinhu chipi nechipi.
Akaenda ana vakuru vamazana, navaikudzwa, navabati vavanhu, navanhu vose venyika, vakaburusa mambo paimba yaJehovha, vakapinda mumba mamambo napasuo rokumusoro, vakagadza mambo pachigaro choushe.
Naizvozvo vanhu vose venyika vakafara, guta rikanyarara; asi Ataria vakanga vamuuraya nomunondo.

24

Joashi akanga asvika makore manomwe pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore makumi mana; zita ramai vake rakanga riri Zibhia weBheerishebha.
Joashi akaita zvakanaka pamberi paJehovha mazuva ose omupirisiti Jehoyadha.
Jehoyadha akamutsvakira vakadzi vaviri; akabereka vanakomana navanasikana .
Zvino shure kwaizvozvi Joashi akarangarira kuvandudza imba yaJehovha.
Akakokera vapirisiti navaRevhi, akati kwavari, Budirai kumaguta aJudha, muunganidze kuvalsiraeri vose mari yokugadzirisa nayo imba yaMwari wenyu gore rimwe nerimwe; uye mubve machimbidzikira chinhu ichi! Asi vaRevhi havana kuchimbidzika.
Zvino mambo akadana mukuru Jehoyadha, akati kwaari, Makaregereiko kuraira vaRevhi kundounganidza mutero waMozisi muranda waJehovha paJudha napaJerusaremu napaungano yaIsiraeri, zviiswe patende rechipupuriro?
Nokuti vanakomana vaAtaria, mukadzi uya wakaipa, vakanga vaputsa imba yaMwari; nezvinhu zvose zveimba yaJehovha, zvakanga zvakatsaurirwa Mwari, vakazvipa vaBhaari.
Naizvozvo mambo akaraira, vakaveza bhokisi, vakariisa kunze kwesuo reimba yaJehovha.
Zvino vakatuma shoko pakati paJudha neJerusaremu, kuti vanhu vavigire Jehovha mutero wakarairwa vaIsiraeri murenje naMozisi muranda waMwari.
Machinda ose navanhu vose vakafara, vakauya nazvo, vakazvikanda mubhokisi, kusvikira vapedza.
Zvino nguva dzose kana bhokisi richiiswa paimba yamambo namaoko avaRevhi, kana vakaona kuti mari zhinji yavamo, munyori wamambo nomutariri womupirisiti mukuru vakauya vakadurura zviri mubhokisi, vakaritora ndokuridzoserazve panzvimbo yaro. Vakaita kudaro zuva rimwe nerimwe, vakaunganidza mari zhinji.
Zvino mambo naJehoyadha vakaipa vaibata mabasa paimba yaJehovha; vakaripira vavezi vamabwe namatanda, kuti vavandudze imba yaJehovha, navapfuri vamatare nendarira, kuti vagadzire imba yaJehovha.
Naizvozvo vabati vakabata, basa rikapedzwa navo; vakagadzira imba yaMwari sezvayakanga yakaita kare, vakaisimbisa.
Zvino vakati vapedza, vakauya nemari yakasara kuna mambo naJehoyadha, vakaita nayo midziyo yeimba yaJehovha, iri midziyo yokubata nayo, nokubayira nayo, nezvirongo nemidziyo yendarama nesirivha. Vaibayira zvipiriso zvinopiswa mumba maJehovha mazuva ose aJehoyadha.
Asi Jehoyadha akazokwegura, akava namazuva mazhinji ndokufa; akanga ana makore ane zana namakumi matatu pakufa kwake.
Vakamuviga paguta raDhavhidhi pakati pamadzimambo; nokuti akanga aitira Mwari neimba yake zvakanaka pakati paIsiraeri.
Zvino Jehoyadha akati afa, machinda aJudha akasvika, akanamata mambo. Ipapo mambo akavateerera.
Vakasiya imba yaJehovha Mwari wamadzibaba avo, vakashumira matanda okunamata nawo nezvifananidzo; Mwari akatsamwira Judha neJerusaremu pamusoro pemhaka iyi.
Kunyange zvakadaro akavatumira vaporofita kuzovadzoserazve kuna Jehovha; ivo vakavapupurira, asi vakaramba kunzwa.
Ipapo Mweya waMwari wakauya pamusoro paZekariya, mwanakomana womupirisiti Jehoyadha, akamira pakakwirira pamberi pavanhu, akati kwavari, Zvanzi naMwari, Munodarikireiko mirairo yaJehovha, muchiramba kufara? Zvamasiya Jehovha, naiye wakakusiyayiwo.,
Ipapo vakarangana, vakamutaka namabwe paruvazhe rweimba yaJehovha, varairwa namambo.
Nokudaro mambo Joashi haana kurangarira zvakanaka zvaakanga aitirwa naJehoyadha baba vake, asi akauraya mwanakomana wake. Zvino wakati achifa, akati, Jehovha ngaatarire chinhu ichi, achitsive.
Zvino gore rakati ropera, hondo yavaSiria ikasvika kuzorwa naye; vakasvika paJudha napaJerusaremu vakaparadza machinda ose avanhu pakati pavanhu, vakatuma zvose zvavakapamba kuna mambo weDhamasiko.
Nokuti hondo yavaSiria yakauya neboka duku ravanhu; Jehovha akaisa pfumo guru-guru mumaoko avo, nokuti vakanga vasiya Jehovha Mwari wamadzibaba avo. Nokudaro vakaitira Joashi zvakanga zvatongwa naMwari.
Zvino vakati vabva kwaari (nokuti vakamusiya achirwara kwazvo), varanda vake vakarangana pamusoro pake nemhaka yeropa ravanakomana vomupirisiti Jehoyadha, vakamuurayira panhovo yake, akafa; vakamuviga muguta raDhavhidhi, asi havana kumuviga kumarinda amadzimambo.
Vakarangana pamusoro pake ndivava: Zabhadhi mwanakomana waShimeati, mukadzi muAmoni, naJehozabhadhi mwanakomana waShimiriti mukadzi muMoabhu.
Zvino kana zviri zvavanakomana vake, namashoko makuru avaporofita akarehwa pamusoro pake, nokumutswa kweimba yaMwari, tarirai zvakanyorwa padudziro yebhuku yamadzimambo. Amazia mwanakomana wake akamutevera paushe.

25

Amazia akanga ana makore makumi maviri namashanu pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namapfumbamwe, zita ramai vake rakanga riri Jehoadhani weJerusaremu
Iye akaita zvakarurama pamberi paJehovha, asi haana kuita nomoyo wose.
Zvino akati asimba paushe hwake, akauraya varanda vake vakauraya mambo baba vake.
Asi haana kuuraya vana vavo, asi akaita sezvakanyorwa pamurayiro pabhuku yaMozisi, sezvakarairwa naJehovha, achiti, Madzibaba haafaniri kufira vana vavo, navana havafaniri kufira madzibaba avo; asi munhu mumwe nomumwe anofanira kufira zvivi zvake.
Amazia akaunganidzawo vaJudha, akagadza pamusoro pavo vatariri vezviuru navatariri vamazana nedzimba dzamadzibaba avo, ivo vaJudha vose navaBhenjamini; akavaverenga, vose vamakore ana makumi maviri navakapfuura, akavawana vari varume vane zviuru zvina mazana matatu vakatsaurwa, vaigona kurwa, vaigona kurwa nepfumo nenhovo.
Akaripirawo varume vane simba noumahare vane zviuru zvine zana vavaIsiraeri, akavapa matarenta ane zana esirivha.
Asi mumwe munhu waMwari akauya kwaari, akati, Haiwa, mambo, hondo yavaIsiraeri ngairege kuenda nemi, nokuti Jehovha haapo panaIsiraeri, pavana vaEfuraimu vose.
Asi endai imi moga, shingai murwe nesimba; Mwari angakukundisai navavengi here? Nokuti Mwari ane simba rokubatsira nerokukundisa.
Ipapo Amazia akati kumunhu waMwari, Zvino tichaita seiko pamusoro pamatarenta ane zana andakapa pfumo ravaIsiraeri? Munhu waMwari akapindura, akati, Jehovha anogona kukupai zvinopfuura izvozvo kwazvo.
Ipapo Amazia akavaraura, iro pfumo rakanga rauya kwaari richibva kwaEfuremu, kuti vadzokerezve kumusha; nemhaka iyo vakatsamwira Judha kwazvo, vakadzokera kumusha vatsamwa kwazvo.
Zvino Amazia akatsunga moyo, akatungamirira vanhu vake, akaenda kuMupata woMunyu, akauraya vana vaSeiri vane zviuru zvine gumi.
Vana vaJudha vakatapa vane zviuru zvine gumi vari vapenyu, vakaenda navo pamusoro pedombo, vakavakandira pasi padombo, vakavhunikanya vose.
Asi varume vehondo vakanga vadzoswa naAmazia, kuti varege kundorwa naye, vakandowira maguta aJudha, kubva paSamaria kusvikira paBhetihoroni, vakauraya vanhu vane zviuru zvitatu kwavari, vakapambara zvizhinji.
Zvino Amazia akati achidzoka pakuuraya vaEdhomu, akauya navamwari vavana vaSeiri, akavaita vamwari vake, akavafugamira, nokuvapisira zvinonhuwira.
Saka Jehovha akatsamwira Amazia, akatuma muporofita kwaari; iye akati kwaari, Wakabvunzireiko vamwari vavanhu vakakoniwa kurwira vanhu vavo pamaoko ako?
Zvino wakati achataura naye, mambo akati kwaari, Takakuita gurukota ramambo here? Nyarara, uchaurayirweiko? Ipapo muporofita akanyarara, asi akati, Ndinoziva kuti Mwari anofunga kukuparadza, nokuti wakaita izvozvi, ukasateerera zvandakakuraira.
Ipapo Amazia mambo waJudha akatsvaka zano, akatuma kuna Joashi mwanakomana waJehoahazi, mwanakomana waJehu, mambo waIsiraeri, akati, Uya tirwe.
Joashi mambo waIsiraeri akatuma shoko kuna Amazia mambo waJudha, akati, Rukato rwakanga ruri paRebhanoni rwakatuma shoko kumusidhari wakanga uri paRebhanoni, rukati, Ipa mwanakomana wangu mukunda wako ave mukadzi wake, zvino imwe mhuka yakanga iri paRebhanoni ikapfuurapo, ikatsika-tsika rukato.
Iwe unoti, Tarira wakunda Edhomu; zvino moyo wako wava namanyawi, wozvikudza; gara hako zvino kumusha kwako; nokuti uchatsvakireiko njodzi, uwiremo, iwe naJudha pamwechete newe?
Asi Amazia akaramba kunzwa; nokuti zvakanga zvichibva kuna Mwari, kuti avaise mumaoko avavengi vavo; nokuti vakanga vatevera vamwari vaEdhomu.
Naizvozvo Joashi mambo waIsiraeri akaenda; iye naAmazia mambo waJudha vakarwa paBhetishemeshi riri paJudha.
Judha vakakundwa naIsiraeri, mumwe nomumwe akatizira kutende rake.
Joashi mambo walsiraeri akasunga Amazia mambo waJudha, mwanakomana waJoashi, mwanakomana waJehoahazi, paBhetishemeshi, akaenda naye Jerusaremu, akaputsa rusvingo rweJerusaremu, kubva pasuo raEfuremu kusvikira pasuo rapakona, makubhiti ana mazana mana.
Akatora ndarama yose nesirivha, nemidziyo yose yakawanikwa mumba maMwari kuna Obhedhi-Edhomu, nefuma yomumba mamambo, navanhu kuzova rubatso, akadzokera Samaria.
Zvino Amazia mwanakomana waJoashi mambo waJudha wakagara ari mupenyu makore ane gumi namashanu shure kwokufa kwaJoashi mwanakomana waJehoahazi mambo waIsiraeri.
Zvino mamwe mabasa aAmazia, okutanga nookupedzisira, tarirai, haana kunyorwa here mubhuku yamadzimambo aJudha naIsiraeri?
Zvino kubva panguva yakarega Amazia kutevera Jehovha, vakamurangana, vakamumukira paJerusaremu; iye ndokutizira Rakishi; asi vakatuma vanhu Rakishi vachimutevera, vakamuurayirapo.
Vakauya naye pamabhiza, vakamuviga kumadzibaba ake muguta raJudha.

26

Zvino vanhu vose vaJudha vakatora Uziya, akanga anamakore gumi namatanhatu, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake Amazia.
lye akavaka Eroti, akaridzosera kuna Judha, mambo avata namadzibaba ake.
Uziya akanga anamakore gumi namatanhatu pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe paJerusaremu makore makumi mashanu namaviri; zita ramai vake rakanga riri Jekiria weJerusaremu.
Iye akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvose sezvakaita baba vake Amazia.
Akashingaira kutsvaka Mwari namazuva aZekariya, akanga ane njere pakuziva zvaMwari; zvino pamazuva aakatsvaka Jehovha, Mwari akamukundisa.
Akandorwa navaFirisitia, akaputsa rusvingo rweGati, norusvingo rweJabhine, norusvingo rweAshidhodhi; akavaka maguta panyika yeAshidhodhi napakati pavaFirisitia.
Mwari akamubatsira pakurwa navaFirisitia, navaArabhia, vakanga vagere Guribhaari, nevaMeunimi.
VaAmoni vakavigira Uziya zvipo; mbiri yake ikapararira kusvikira pavanopinda napo paIjipiti; nokuti akasimba kwazvo.
Uziya akavakawo shongwe paJerusaremu pasuo rekona, napasuo romupata, napakudzoka kworusvingo, akadzisimbisa.
Akavakawo shongwe murenje, akacherawo matsime mazhinji, nokuti akanga ane zvipfuwo zvizhinji; napamapaniwo, napanyika yokumakomo; uye akanga ana varimi navasimi vamazambiringa pamakomo napaminda yakaworera, nokuti aida minda.
Uyewo Uziya akanga ane hondo yavarwi, vaindorwa vachiita mapoka, sezvavakaverengwa naJeieri munyori, naMaaseya murairi, vakatungamirirwa naHanania mumwe wavakuru vamambo.
Vose vakaverengwa kuvakuru vedzimba dzamadzibaba, ivo varume vaiva nesimba noumhare, vakasvika zviuru zviviri namazana matanhatu.
Ivo vairaira hondo yakanga yakadzidziswa, vanhu vane zviuru zvina mazana matatu nezvinomwe namazana mashanu, vaigona kurwa nesimba guru, kuzobatsira mambo kurwa navavengi vavo.
Uziya akavagadzirira, ivo vose vehondo, nhovo, namapfumo, nengowani, nenguvo dzamatare, nouta, namabwe okupfura nawo.
Akaitawo paJerusaremu michini, yakaitwa navanhu vakangwara, ikaiswa pashongwe napamakona amasvingo, kuzoposhera nayo miseve namabwe makuru. Mbiri yake ikapararira; nokuti akabatsirwa zvinoshamisa, kusvikira asimba.
Asi akati asimba, moyo wake ukazvikudza, akazoita zvakashata, akatadzira Jehovha Mwari wake; nokuti akapinda patemberi yaJehovha kundopisa zvinonhuwira paaritari yezvinonhuwira.
Ipapo mupirisiti Azaria akamutevera akapinda ana vapirisiti vaJehovha vana makumi masere, vaiva varume voumhare.
Ivo vakadzivisa mambo Uziya, vakati kwaari, Nhandi Uziya, hazvifaniri kuti imi mupisire Jehovha zvinonhuwira, asi vapirisiti vanakomana vaAroni, vakatsaurwa kupisa zvinonhuwira; budai panzvimbo tsvene, nokuti madarika; hamungakudzwi naJehovha Mwari nokuda kwechinhu ichi.
Ipapo Uziya akatsamwa kwazvo; zvino iye akanga akabata hadyana yezvinonhuwira kuti apise zvinonhuwira; zvino akati achakatsamwira vapirisiti, maperembudzi akabuda pahuma yake pamberi pavapirisiti muimba yaJehovha, kurutivi rwearitari yezvinonhuwira.
Zvino Azaria mupirisiti mukuru navapirisiti vose vakatarira kwaari, vakaona kuti wava namaperembudzi pahuma yake, vakachimbidzika kumubudisapo; kunyange naiye akachimbidzika kubuda, nokuti Jehovha akanga amurova.
Zvino mambo Uziya akava namaperembudzi kusvikira pazuva rokufa kwake, akagara ari oga muimba, anamaperembudzi; nokuti akadziviswa kupinda paimba yaJehovha; Jotamu mwanakomana wake akava mutariri weimba yamambo, akatongawo mhosva dzavanhu venyika.
Zvino mamwe mabasa aUziya, okutanga nookupedzisira, akanyorwa nomuporofita Isaya mwanakomana waAmozi.
Naizvozvo Uziya akavata namadzibaba ake, vakamuviga kumadzibaba ake mumunda wamarinda aiva amadzimambo; nokuti vakati, Una maperembudzi; Jotamu mwanakomana wake akamutevera paushe.

27

Jotamu akatanga kubata ushe asvika makore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore ane gumi namatanhatu; zita ramai vake rakanga riri Jerusha mukunda waZadhoki.
Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, akaita zvose zvakaitwa nababa vake Uziya; asi haana kupinda mutemberi yaJehovha. Vanhu vakaramba vachiita zvakashata.
Akavaka suo rokumusoro reimba yaJehovha, akavakawo zvizhinji pamusoro porusvingo rweOferi.
Wakavakawo maguta panyika yamakomo yaJudha, uye akavaka nhare neshongwe mumatondo.
Akarwawo namambo wavana vaAmoni, akavakunda. Negore iro vana vaAmoni vakamupa matarenta esirivha ane zana, nezviyero zvezviyo zvine zviuru zvine gumi, nezviyero zvebhari zvine zviuru zvine gumi. Vana vaAmoni vakamupa zvizhinji zvakadai pagore rechipiri, negore rechitatuwo.
Naizvozvo Jotamu akasimba, nokuti akagadzira nzira dzake pamberi paJehovha Mwari wake.
Zvino mamwe mabasa aJotamu, nokurwa kwake kwose netsika dzake, tarirai zvakanyorwa mubhuku yamadzimambo aIsiraeri naaJudha.
Akatanga kubata ushe asvika makore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore gumi namatanhatu.
Jotamu akavata namadzibaba ake; vakamuviga muguta raDhavhidhi; Ahazi mwanakomana wake akamutevera paushe.

28

Ahazi akanga ana makore makumi maviri pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore gumi namatanhatu; asi haana kuita zvakarurama pamberi paJehovha, sababa vake Dhavhidhi;
asi wakafamba nenzira dzamadzibaba aIsiraeri, akaitira vaBhaariwo zvifananidzo zvendarira yakanyauswa.
Uye akapisawo zvinonhuwira pamupata womwanakomana waHinomi, akapisa vana vake mumoto, sezvainyangadza zvavahedheni, vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri.
Akabayira nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira, napazvikomo, napasi pemiti yose mitema.
Saka Jehovha Mwari wake akamuisa muruoko rwamambo weSiria; vakamukunda, vakaenda navanhu vake vazhinji vakatapwa, vakandovaisa Dhamasiko. Naiye amene akaiswa muruoko rwamambo waIsiraeri, akamukunda, akauraya vazhinji-zhinji.
Nokuti Peka mwanakomana waRemaria akauraya paJudha vanhu vane zviuru zvine zana namakumi maviri pazuva rimwe; vose vari varume voumhare; nokuti vakanga vasiya Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
Zikiri murume waEfuremu, akanga ane simba, akauraya Maaseya mwanakomana wamambo, naAzirikami mutariri weimba, naErikana mukuru kutevera mambo.
Vana valsiraeri vakatapa pakati pehama dzavo vanhu vane zviuru zvina mazana maviri, vakadzi, vanakomana, navanasikana, vakapambawo zvizhinji kwavari; vakandoisa Samaria izvo zvakapambwa.
Asi kwakanga kuno muporofita waJehovha, wainzi Obhedhi; iye akaenda kundosangana nehondo yakanga youya Samaria, akati kwavari, Jehovha Mwari wamadzibaba enyu akanga atsamwira vaJudha, saka akavaisa mumaoko enyu, makavauraya nehasha dzakasvikira kudenga.
Zvino munoti muchamanikidza vana vaJudha naveJerusaremu, vave vatapwa venyu varanda navarandakadzi; ko imi hamune mhosvawo mumene pamberi paJehovha Mwari wenyu here?
Naizvozvo zvino chindinzwai, mudzose vatapwa vamakatapa pakati pehama dzenyu; nokuti Jehovha akutsamwirai kwazvo.
Ipapo vamwe vakuru vavana vaEfuremu, vaiti: Azaria mwanakomana waJohanani, naBherekia mwanakomana waMeshiremoti, naJehizikia mwanakomana waSharumi, naAmasa mwanakomana waHadhirai, vakadzivisa avo vabva pakurwa,
vakati kwavari, Hamungapindi pano navatapwa, nokuti munovavarira kuita chinhu chichatiparisa mhaka pana Jehovha, mugowedzera pazvivi zvedu nemhosva yedu; nokuti mhosva yedu ihuru, vaIsiraeri vatsamwirwa kwazvo naJehovha.
Ipapo varwi vakasiya vatapwa nezvakapambwa kumachinda neungano yose.
Zvino ava varume varehwa mazita avo, vakasimuka, vakatora vatapwa, vakafukidza vose vakanga vakashama pakati pavo nezvakapambwa, vakavapfekedza nokuvaisa shangu, ndokuvapa zvokudya nezvokunwa, vakavazodza, vakatasvisa vose vakanga vasine simba pambongoro, vakavaisa Jeriko, guta remichindwe, kuhama dzavo; ipapo vakadzokera Samaria.
Panguva iyo mambo Ahazi akatuma shoko kumadzibaba aAsiria, kuti vamubatsire.
Nokuti vaEdhomu vakanga vasvikazve, vakakunda vaJudha vakatapa vatapwa.
NavaFirisitiawo vakanga vavamba maguta amapani, naaiva kurutivi rwezasi rwaJudha, vakakunda Bhetishemeshi, neAijaroni, neGedheroti, neSoko, nemisha yawo, neTimina, nemisha yaro, neGimizo nemisha yaro; vakagarapo.
Nokuti Jehovha akaninipisa vaJudha nokuda kwaAhazi mambo waIsiraeri; nokuti akanga aita zvakaipa paJudha, akatadzira Jehovha kwazvo.
Zvino Tirigatipirineseri mambo weAsiria akauya kuzorwa naye, akamumanikidza, asi haana kumukunda.
Nokuti Ahazi akatora mugove wefuma paimba yaJehovha, napaimba yamambo, neyamachinda, akazvipa mambo weAsiria; asi hazvina kumubatsira.
Asi panguva yokutambudzika kwake, akanyanya kutadzira Jehovha, iye mambo Ahazi.
Nokuti akabayira vamwari veDhamasiko, vakanga vamukunda, akati, Vamwari vamadzimambo aSiria zvavanovabatsira, ini ndichavabayirawo, kuti vandibatsirewo. Asi ivo vakamuparadza iye navalsiraeri vose pamwechete naye.
Zvino Ahazi akaunganidza midziyo yeimba yaMwari akaputsanya midziyo yeimba yaMwari, akapfiga mikova yeimba yaJehovha; akazviitira aritari pose-pose paJerusaremu.
Akaitawo matunhu akakwirira paguta rimwe nerimwe raJudha kuzopisira vamwe vamwari zvinonhuwira ipapo, akatsamwisa Jehovha Mwari wamadzibaba ake.
Zvino mamwe mabasa ake, netsika dzake dzose, dzokutanga nedzokupedzisira, tarirai zvakanyorwa mubhuku yamadzimambo aJudha naIsiraeri.
Ahazi akavata namadzibaba ake, vakamuviga muguta, imo muJerusaremu; nokuti havana kumuisa pamarinda amadzimambo aIsiraeri; Hezekia mwanakomana wake akamutevera paushe.

29

Hezekia wakatanga kubata ushe asvika makore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namapfumbamwe, zita ramai vake rakanga riri Abhija mukunda waZekariya.
Akaita zvakarurama pamberi paJehovha sezvose zvakaita baba vake Dhavhidhi.
Pagore rokutanga rokubata kwake ushe, nomwedzi wokutanga, akazarura mikova yeimba yaJehovha, akaigadzira.
Akapinza vapirisiti navaRevhi, akavaunganidza padare pamabvazuva,
akati kwavari, Chindinzwai, imi vaRevhi; chizvinatsai zvino, munatsewo imba yaJehovha Mwari wamadzibaba enyu; mutakurire kunze tsvina yose iri munzvimbo tsvene.
Nokuti madzibaba edu akadarika, vakaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wedu, vakamusiya, vakarega kutarira kuugaro hwaJehovha, ndokumufuratira.
Vakapfigawo mikova yebiravira, nokudzima mwenje; havana kupisira zvinonhuhwira, kana kubayira Mwari waIsiraeri zvipiriso zvinopiswa panzvimbo tsvene.
Saka Jehovha akatsamwira vaJudha neJerusaremu, akavaita chityiso nechishamiso, chinoridzirwa muridzo, sezvamunoona nameso enyu.
Nokuti tarirai, madzibaba edu akaparadzwa nomunondo; vanakomana vedu navanasikana vedu navakadzi vedu vakatapwa nokuda kwaizvozvi.
Zvino moyo wangu unoda kuita sungano naJehovha Mwari waIsiraeri, kuti kutsamwa kwake kukuru kubviswe kwatiri.
Vanakomana vangu, regai kuva vanhu vasine hanya zvino, nokuti Jehovha akakutsaurai kuti mumire pamberi pake, mumubatirei, nokuva vabatiri vake, nokumupisira zvinonhuwira.
Ipapo vaRevhi vakasimuka, Mahati mwanakomana waAmasai, naJoeri mwanakomana waAzaria pakati pavanakomana vavaKohati, napakati pavanakomana vaMerari, Kishi mwanakomana waAbhidhi, naAzaria mwanakomana waJeharereri; napakati pavaGerishoni, Joa mwanakomana waZimima, naEdheni mwanakomana waJoa;
napakati pavanakomana vaErizafani, Shimiri naJeueri; napakati pavanakomana vaAsafi, Zekariya naMatania;
napakati pavanakomana vaHemani, Jehueri naShimei; napakati pavanakomana vaJedhutuni, Shemaya naUzieri.
Ivo vakaunganidza hama dzavo, vakazvinatsa, vakapinda sezvavakarairwa namambo namashoko aJehovha, kuti vanatse imba yaJehovha.
Vapirisiti vakapinda mukati meimba yaJehovha, kuti vainatse, vakabudisa marara ose avakawana mutemberi yaJehovha kuruvazhe rweimba yaJehovha. VaRevhi vakaatora, ndokuatakurira kunze kurukova Kidhironi.
Vakatanga kunatsa nezuva rokutanga romwedzi wokutanga, vakasvika pabiravira raJehovha nezuva rorusere romwedzi; vakanatsa imba yaJehovha namazuva masere; vakapedzisa nezuva regumi namatanhatu romwedzi wokutanga.
Ipapo vakapinda kuna mambo Hezekia mukati meimba yamambo, vakati, Tanatsa imba yose yaJehovha, nearitari yezvipiriso zvinopiswa, nenhumbi dzayo dzose, netafura yezvingwa zvokuratidza, nenhumbi dzayo dzose.
Uye nhumbi dzose dzakarashwa namambo Ahazi pakudarika kwake nguva yaakabata ushe, tadzigadzira nokudzinatsa; tarirai, dziri pamberi pearitari yaJehovha.
Zvino mambo Hezekia akamuka mangwanani, akaunganidza machinda eguta, akaenda kumba kwaJehovha.
Vakauya nenzombe nomwe, namakondobwe manomwe, namakwaiana manomwe, nenhongo dzembudzi nomwe, chive chipiriso chezvivi choushe neimba tsvene navaJudha. Akaraira vapirisiti ivo vanakomana vaAroni, kuti vazvibayire paaritari yaJehovha.
Ipapo vakauraya nzombe, vapirisiti vakachinga ropa, ndokurisasa paaritari; vakauraya makondobwe, vakasasa ropa paaritari; vakaurayawo makwayana, vakasasa ropa paaritari.
Vakaswededzawo nhongo dzembudzi, chive chipiriso chezvivi pamberi pamambo neungano, vakaisa maoko avo pamusoro padzo;
vapirisiti vakadziuraya, vakaita chipiriso chezvivi neropa radzo paaritari, kuti vayananisire valsiraeri vose, nokuti mambo akaraira kuti vaIsiraeri vose vapisirwe chipiriso chinopiswa nechipiriso chezvivi.
Akaisa vaRevhi mumba maJehovha, vana makandira, nemitengerangwa, nembira, sezvavakarairwa naDhavhidhi, uye nomuoni wamambo Gadhi, uye nomuporofita Natania; nokuti akanga ari Jehovha akaraira navaporofita vake.
VaRevhi vakamira nezvokuridza zvaDhavhidhi, navapirisiti vane hwamanda.
Hezekia akaraira kuti vabayire chipiriso chinopiswa paaritari. Zvino chipiriso chinopiswa chakati chichitanga kupiswa, rwiyo rwaJehovha ndokutangawo, uye hwamanda pamwechete nezvokuridza zvaDhavhidhi mambo waIsiraeri.
Ungano yose ndokunamata, vaimbi vakaimba, navaridzi vehwamanda vakaridza; izvozvi zvose zvikaramba zvichiitwa kusvikira chipiriso chinopiswa chapera.
Zvino vakati vapedza kupisira, mambo navose vakanga varipo naye vakakotamira pasi, vakanamata.
Mambo Hezekia namachinda vakarairawo vaRevhi kuimbira Jehovha vachimukudza namashoko aDhavhidhi nomuoni Asafi. Vakaimba nziyo dzokukudza nomufaro, vakakotamisa misoro yavo vakanamata.
Ipapo Hezekia akapindura, akati, Zvino zvamazvitsaurira Jehovha, swederai muuye nezvibayiro nezvipiriso zvokuvonga nazvo mumba maJehovha. Ungano ndokuuya nezvibayiro nezvipiriso zvokuvonga; vose, vakanga vanomoyo unoda, vakauya nezvipiriso zvinopiswa.
Zvipiriso zvinopiswa, zvakauyiswa neungano, zvakasvika nzombe dzina makumi manomwe namakondobwe ane zana, namakwayana ana mazana maviri pakuwanda kwazvo; izvi zvose chakanga chiri chipiriso chokupisira Jehovha.
Zvinhu zvakatsaurirwa Jehovha zvakasvika nzombe dzina mazana matanhatu, namakwai ane zviuru zvitatu.
Asi vapirisiti vakanga vasingaringani, vakakoniwa kuvhiya zvipiriso zvose zvinopiswa, saka vaRevhi hama dzavo, vakavabatsira, kusvikira basa rapera, uye kusvikira vapirisiti vazvinatsa; nokuti moyo yavaRevhi yakanga yakarurama pakuzvinatsa kupfuura vapirisiti.
Zvipiriso zvinopiswa zvakanga zvakawandawo kwazvo, namafuta ezvipiriso zvokuyananisa, nezvipiriso zvaidururwa zvechipiriso chimwe nechimwe chaipiswa. Naizvozvo basa reimba yaJehovha rakagadzirwa.
Ipapo Hezekia akafara, navanhu vose, nokuda kwezvose zvakanga zvagadzirirwa vanhu naMwari; nokuti chinhu ichi chakaitwa nokuchimbidzika.

30

Zvino Hezekia akatuma nhume kuvaIsiraeri nokuvaJudha vose,akanyorawo mwadhi kuvaEfuremu navaManase, kuti vauye kuimba yaJehovha paJerusaremu, kuzoitira Jehovha Mwari wavaIsiraeri Pasika.
Nokuti mambo namachinda ake, neungano yose paJerusaremu vakanga varangana kuita Pasika nomwedzi wechipiri.
Nokuti vakanga vasingagoni kuiita nenguva iyo, nokuti vapirisiti, vakanatswa, vakanga vasingaringani, navanhuwo vakanga vasina kuungana paJerusaremu.
Zvino chinhu ichi chakanga chakarurama pamberi pamambo neungano yose.
Naizvozvo vakasimbisa chirevo, vakazivisa pakati palsiraeri pose, kubva paBheerishebha kusvikira paDhani, kuti vanhu vauye kuzoitira Jehovha Mwari wavaIsiraeri Pasika paJerusaremu; nokuti vakanga vasina kuiita nguva huru, sezvakanga zvakanyorwa.
Ipapo nhume dzakamhanya dzikaenda nemwadhi dzamambo namachinda ake pakati pavaIsiraeri vose navaJudha, sezvavakanga varairwa namambo, vakati, Imi vana vaIsiraeri, dzokeraizve kuna Jehovha Mwari waAbhurahamu, naIsaka, naIsiraeri, kuti iye adzokerezve kunavakasara pakati penyu, vakapukunyuka, pamaoko amadzimambo eAsiria.
Regai kuva samadzibaba enyu, nehama dzenyu, vakadarika mirairo yaJehovha Mwari wamadzibaba enyu, iye akazovaita chishamiso sezvamunoona.
Regai kuva nemitsipa mikukutu, sezvakanga zvakaita madzibaba enyu; batai ruoko rwaJehovha, mupinde paimba yake tsvene, yaakanatsa nokusingaperi, mushumire Jehovha Mwari wenyu, kuti kutsamwa kwake kubviswe kwamuri.
Nokuti kana imi mukadzokera kuna Jehovha, hama dzenyu navana venyu vachanzwirwa tsitsi navatapi vavo, vagodzokerazve kunyika ino; nokuti Jehovha Mwari wenyu ane ngoni nenyasha; haangafuratidzi chiso chake kwamuri, kana mukadzokera kwaari.
Naizvozvo nhume dzakamhanya dzikapota pamaguta ose panyika yose yaEfuremu naManase, kusvikira paZebhuruni; asi vakavaseka, nokuvadadira.
Asi vamwe vavaAsheri navaManase navaZebhuruni, vakazvininipisa, vakaenda Jerusaremu.
NapaJudhawo ruoko rwaMwari rwakavapa moyo mumwe, kuti vateerere murayiro wamambo namachinda neshoko raJehovha.
Ipapo vanhu vazhinji vakaungana paJerusaremu, kuzoita mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa nomwedzi wechipiri, ikaita ungano huru kwazvo.
Vakasimuka, ndokubvisa aritari dzaiva paJerusaremu, vakabvisawo aritari dzose dzezvinonhuhwira, vakadzikandira murukova Kidhironi.
Ipapo vakauraya gwayana rePasika pazuva regumi namana romwedzi wechipiri; vapirisiti navaRevhi vakanyara, vakazvinatsa, vakauya nezvipiriso zvinopiswa mumba maJehovha.
Vakamira panzvimbo yavo sezvavakarairwa nomurayiro waMozisi, iye munhu waMwari; vapirisiti vakasasa ropa ravakatora pamaoko avaRevhi.
Nokuti vazhinji vaivapo paungano vakanga vasina kuzvinatsa; saka vaRevhi vaiva nebasa rokuurayira vose, vakanga vasina kunatswa, makwayana ePasika yavo, kuti vavanatsire Jehovha.
Nokuti vanhu vazhinji-zhinji vaEfuremu navaManase, navaIsakari navaZebhuruni, vakanga vasinakuzvinatsa; kunyange zvakadaro vakadya Pasika nomutowo wakapesana nowakanyorwa. Nokuti Hezekia akanga avanyengeterera, achiti, Jehovha wakanaka ngaakanganwire mumwe nomumwe,
unoshingaira nomoyo wake kutsvaka Mwari, Jehovha, Mwari wababa vake, kunyange asina kunatswa nomutowo wokunatswa kwenzvimbo tsvene.
Jehovha akanzwa Hezekia, akaporesa vanhu.
Zvino vana vaIsiraeri, vaiva paJerusaremu, vakaita mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa nomufaro mukuru mazuva manomwe; vaRevhi navapirisiti vakarumbidza Jehovha zuva rimwe nerimwe, vachiridzira Jehovha nezvokuridzisa zvainzwika kure.
Hezekia akataura nounyoro navaRevhi vose vaigona kubatira Jehovha zvakanaka. Naizvozvo vakadya pamutambo mazuva manomwe, vakabayira zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, vachizvireurura kuna Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
Zvino ungano yose yakarangana kuita mamwe mazuva manomwezve; vakaita mazuva manomwezve nomufaro.
Nokuti Hezekia mambo waJudha akapa ungano nzombe dzine chiuru chimwe, namakwai ane zviuru zvinomwe, kuti vabayire nazvo; namachindawo akapa ungano nzombe dzine chiuru chimwe, namakwai ane zviuru zvine gumi; vapirisiti vazhinji-zhinji vakazvinatsa.
Ipapo ungano yose yaJudha, pamwechete navapirisiti navaRevhi, neungano yose yakabva pakati paIsiraeri, navatorwa vakabva panyika yaIsiraeri, navakanga vagere paJudha, vakafara vose.
Naizvozvo mufaro mukuru ukavapo paJerusaremu; nokuti kubva panguva yaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo walsiraeri, hakuna kuita zvakadaro paJerusaremu.
Ipapo vapirisiti vaRevhi vakasimuka, vakaropafadza, vanhu; manzwi avo akanzwika, nokunyengetera kwavo kukasvika kuugaro hwake utsvene iko kudenga.

31

Zvino izvo zvose zvakati zvapera, vaIsiraeri vose vakanga varipo, vakabuda kumaguta aJudha, vakaputsa shongwe, nokutema matanda okunamata nawo, vakaputsa matunhu akakwirira nearitari kwaJudha nokwaBhenjamini kwose, nokwaEfuremu nokwaManase, kusvikira vazviparadza zvose. Ipapo vana vaIsiraeri vose vakadzokera kumaguta avo, mumwe nomumwe kuzvinhu zvake.
Hezekia akaraira mapoka avapirisiti navaRevhi pamapoka avo, munhu mumwe nomumwe pabasa rake vapirisiti navaRevhi vose, vakabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa, kushumira nokuvonga, nokurumbidza mumasuo emisasa yaJehovha.
Akarairawo mugove wefuma yamambo wezvipiriso zvinopiswa, zvaiti: Wezvipiriso zvinopiswa mangwanani namadekwana, nezvipiriso zvinopiswa pamaSabata, napakugara kwomwedzi, napamitambo yakatarwa, sezvazvakanyorwa pamurayiro waJehovha.
Akarairawo vanhu veJerusaremu kupa vapirisiti navaRevhi mugove wavo, kuti ivo vasimbe pamurayiro waJehovha.
Zvino vakati vachangonzwa murayiro uyu, vana vaIsiraeri vakapa zvakawanda zvezvitsva, zvezviyo newaini, namafuta, nouchi, nemichero yose yeminda; uye chegumi chezvinhu zvose vakauya nazvo zviri zvizhinji.
Navana vaIsiraeri navaJudha vakanga vagere pamaguta aJudha vakauyawo nezvegumi zvenzombe namakwai, nezvegumi zvezvinhu zvakatsaurwa zvakanga zvatsaurirwa Jehovha Mwari wavo, vakazviita mirwi.
Vakatanga kuita mirwi pamwedzi wechitatu, vakapedza nomwedzi wechinomwe.
Zvino Hezekia namachinda, vakati vasvika nokuona mirwi, vakavonga Jehovha navanhu vake vaIsiraeri.
Ipapo Hezekia akabvunza vapirisiti navaRevhi pamusoro pemirwi.
Azaria mupirisiti mukuru weimba yaZadhoki akamupindura, akati, Kubva nguva yavakatanga kuisa zvipo muimba yaJehovha, takadya, tikaguta, tikasarirwa nezvizhinji, nokuti Jehovha akaropafadza vanhu vake; zvasara ndizvo zvizhinji izvi.
Ipapo Hezekia akaraira kuti vagadzire makamuri mumba maJehovha; vakaagadzira.
Vakapinza zvipo, nomutowo wakatendeka, nezvegumi, nezvinhu zvakatsaurirwa Jehovha; Konania muRevhi akaitwa mutariri wazvo, uye Shimei munununa wake akanga ari wechipiri.
NaJehieri, naAzazia, naNahati, naAsaheri, naJerimoti, naJozabhadhi, naErieri, nalsimakia, naMahati, naBhenaya, vaiva vatariri pasi paKonania naShimei munununa wake, vakanga vagadzwa namambo Hezekia naAzaria mutariri weimba yaMwari.
Kore mwanakomana waImina muRevhi, mutariri wesuo rokumabvazuva, akanga ari mutariri wenhendo dzaingopiwa Mwari nokuzvidira, kuti agovere zvipo zvaJehovha nezvinhu zvitsvene kwazvo.
Pasi pake pakanga pana Edheni, naMiniamini, naJeshua, naShemaya, naAmaria, naShekania, mumaguta avapirisiti, pamabasa avo akatarwa, kuti vape hama dzavo namapoka, vakuru navaduku vose;
vasingaverengi varume vakanga vakanyorwa mazita avo, kubva pamakore matatu navanopfuura, Ani naani aipinda mumba maJehovha, kuzoita mabasa akadikanwa zuva rimwe nerimwe, pamabasa avo avakanga vapiwa namapoka avo;
navakanga vaverengwa pamazita avapirisiti nedzimba dzamadzibaba avo, navaRevhi vamakore makumi maviri navakapfuura, pamabasa avo namapoka avo;
navakaverengwa namazita epwere dzavo dzose, navakadzi vavo, navanakomana vavo, navanasikana vavo, paungano yose; nokuti vakanga vazvinatsa noutsvene pamabasa avo akatarwa;
navanakomana vaAroni vapirisiti vakanga vari kuminda yoruwa rwamaguta avo, paguta rimwe nerimwe kwaiva navarume vakanga vakanyorwa mazita avo, kuti vape varume vose pakati pavapirisiti migove yavo, navose vakaverengwa mazita avo pakati pavaRevhi.
Ndizvo zvakaita Hezekia kwaJudha kwose; akaita zvakanaka nezvakarurama nezvakatendeka pamberi paJehovha Mwari wake.
Pabasa rimwe nerimwe raakatanga pakushumira paimba yaMwari, napamurayiro, napamirau, napakutsvaka Mwari wake, wakazviita nomoyo wake wose, akakunda.

32

Shure kwezvinhu izvi, nokutendeka uku, Shenakeribhi mambo weAsiria akasvika akapinda kwaJudha, akadzika matende kuzorwa namaguta akakombwa namasvingo, achifunga kuzvikundira iwo.
Zvino Hezekia akati achiona kuti Shenakeribhi asvika, uye kuti akanga achivavarira kurwa neJerusaremu,
akarangana namachinda ake navarume vake vane simba, kuti vadzivire mvura yamatsime akanga ari kunze kweguta; ivo vakamubatsira.
Naizvozvo vanhu vazhinji vakaungana, vakadzivira matsime ose norukova rwakanga ruchiyerera napakati penyika iyo, vachiti, Madzimambo eAsiria achasvikireiko, akawana mvura zhinji?
lye akatsunga moyo, akavaka rusvingo rwose rwanga rwakoromoka, akaruvaka kusvikira pashongwe, norumwe rusvingo rwokunzewo, akasimbisa Miro paguta raDhavhidhi, akapfura nhumbi dzokurwa nadzo nenhovo zhinji.
Akagadzawo vakuru vehondo pamusoro pavanhu, akavaunganidza kwaari padare pasuo reguta, akataura nounyoro navo, achiti,
Ivai nesimba, mutsunge moyo, regai kutya kana kuvhunduka pamberi pamambo weAsiria, kana pamberi pavazhinji vose vaanavo; nokuti anesu mukuru kune waanaye iye;
iye unoruoko rwenyama, asi anesu ndiJehovha Mwari wedu, kuzotibatsira nokurwa navavengi vedu. Vanhu vakavimba namashoko aHezekia mambo waJudha.
Shure kwaizvozvi Shenakeribhi mambo weAsiria akatuma varanda vake Jerusaremu, (zvino iye akanga ari pamberi peRakishi, ane hondo yake yose) kunavose vakanga vari Jerusaremu, akati,
Zvanzi naShenakeribhi mambo weAsiria, Chinyiko chamunovimba nacho, zvamunorambira paJerusaremu makakombwa?
Ko Hezekia haazinokukurudzirai, kuti mugozofa nenzara nenyota here, zvaanoti, Jehovha Mwari wedu achatirwira paruoko rwamambo weAsiria?
Haazi iye Hezekia akabvisa matunhu ake akakwirira nearitari dzake, akaraira Judha neJerusaremu, achiti, Munofanira kunamata pamberi pearitari imwe, uye munofanira kupisa zvinonhuwira ipapo here?
Hamuzivi here zvatakaitira vanhu vose venyika ino, ini namadzibaba angu? Ko vamwari vendudzi dzenyika idzo vakatongagona kurwira nyika yavo paruoko rwangu here?
Ndianiko pakati pavamwari vose vendudzi idzo dzakaparadzwa chose namadzibaba angu, wakatongogona kurwira vanhu vake paruoko rwangu here? Zvino Mwari wenyu achagona kukurwirai paruoko rwangu here?
Zvino naizvozvo Hezekia ngaarege kukunyengerai, kana kukukurudzirai nomutowo uyu; regai henyu kumutenda, nokuti hakuna mwari worudzi rupi norupi, kana ushe, wakagona kurwira vanhu vake paruoko rwangu naparuoko rwamadzibaba angu; zvikuru sei Mwari wenyu hangakoniwi kukurwirai paruoko rwangu here?
Varanda vake vakawedzera kushora Jehovha Mwari nomuranda wake Hezekia.
Akanyorawo mwadhi yokudadira nayo Jehovha Mwari walsiraeri, nokumushora, achiti, Vamwari vendudzi dzenyika idzo sezvavasina kurwira vanhu vavo paruoko rwangu, saizvozvowo Mwari waHezekia haangarwiri vanhu vake paruoko rwangu.
Vakadanidzira nenzwi guru norurimi rwavaJudha kuvanhu veJerusaremu vakanga vari pamusoro porusvingo, kuvatyisa, nokuvavhundusa, kuti vagokunda guta.
Vakataura pamusoro paMwari weJerusaremu, vachimuenzanisa navamwari vavanhu venyika, vakaitwa namaoko avanhu.
Zvino mambo Hezekia nomuporofita Isaya mwanakomana waAmozi, vakanyengetera nokuda kwechinhu ichi, vakachemera kudenga.
Ipapo Jehovha akatuma mutumwa akaparadza vose vakanga vane simba noumhare, navatungamiriri, navakuru pamisasa yamambo weAsiria. Saka iye akadzokera kunyika yake achinyara. Zvino akati achipinda mumba mamwari wake, avo vakanga vabuda pachiuno chake vakamuurayirapo nomunondo.
Saizvozvo Jehovha akarwira Hezekia navakanga vagere Jerusaremu paruoko rwaShenakeribhi mambo weAsiria napamaoko avose, akavachengeta pamativi ose.
Vazhinji vakauya nezvipo kuna Jehovha paJerusaremu, nezvinhu zvinokosha kuna Hezekia mambo waJudha; naizvozvo kubva panguva iyo akakudzwa pamberi pendudzi dzose. Kurwara kwaHezekia nokufa kwake
Zvino namazuva iwayo Hezekia akarwara, kusvikira pakufa; akanyengetera kuna Jehovha, iye akataura naye, akamupa chiratidzo.
Asi chinhu icho chakanaka chaakaitirwa, Hezekia haana kuchiripira zvakanaka, nokuti moyo wake akazvikudza, Jehovha akamutsamwira iye, naJudha neJerusaremu.
Asi Hezekia akazozvininipisa pamusoro pokuzvikudza kwomoyo wake, iye navakanga vagere Jerusaremu, saka kutsamwa kwaJehovha hakuna kuvavinga pamazuva aHezekia.
Hezekia akanga ane fuma zhinji nokukudzwa, akazviitira zvivigiro zvefuma yesirivha, neyendarama, neyezvibwe zvinokosha, neyezvinonhuhwira, neyenhovo, neyemidziyo yose yakanaka yamarudzi ose;
namatura ezviyo akawanda, nedzimba dzewaini, namafuta; namatanga ezvipfuwo zvamarudzi ose, nezvirugu zvamakwai.
Wakazviwanirawo maguta, nefuma yamakwai nemombe zhinji; nokuti Mwari akanga amupa fuma zhinji kwazvo.
Ndiye Hezekiawo akadzivira tsime rokumusoro remvura yeGihoni, akaifambisa ikarurama kurutivi rwamavirazuva rweguta raDhavhidhi. Hezekia akakunda pamabasa ake ose.
Asi pashoko renhume dzamachinda eBhabhironi, akatuma kwaari kuzomubvunza pamusoro pechishamiso chakanga chaitwa panyika, Mwari akamusiya kuti amuidze, kuti azive zvose zviri mumoyo make.
Zvino mamwe mabasa aHezekia, nezvakanaka zvaakabata, tarirai, zvakanyorwa pane zvakaonekwa nomuporofita Isaya mwanakomana waAmozi, mubhuku yamadzimambo aJudha naIsiraeri.
Hezekia akavata namadzibaba ake, vakamuviga kumukwidzwa unoenda kumarinda avanakomana vaDhavhidhi; vaJudha vose navakanga vagere Jerusaremu vakamukudza pakufa kwake. Mwanakomana wake Manase akamutevera paushe.

33

Manase akatanga kubata ushe ava namakore ane gumi namaviri; akabata ushe makore makumi mashanu namashanu paJerusaremu;
akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akatevera zvinonyangadza zvavahedheni vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri.
Nokuti akavakazve matunhu akakwirira, akanga aputswa nababa vake Hezekia; akamutsira vaBhaari aritari, akaisapowo matanda okunamata nawo; akanamata kuhondo dzose dzokudenga, akadzishumira.
Akavaka aritari mumba maJehovha, kunyange Jehovha akati, PaJerusaremu ndipo pachagara zita rangu nokusingaperi.
Akavakira hondo dzose dzokudenga aritari muvazhe mbiri dzeimba yaJehovha.
Akapinzawo vana vake mumoto pamupata womwanakomana waHinomi; akatenda mashura, akaita mazango, akabata uroyi, akagadza masvikiro navauki; akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha, ndokumutsamwisa nazvo.
Akaisa mufananidzo wakavezwa wechifananidzo chamwari, chaakanga aveza, mumba maMwari, imo makanga manzi naMwari kuna Dhavhidhi nokunaSoromoni mwanakomana wake, Ndichaisa zita rangu nokusingaperi paimba ino napaJerusaremu, randakatsaura pakati pamarudzi ose aIsiraeri.
Uye handichabvisi tsoka dzaIsiraeri panyika yandakaratidza madzibaba enyu; kana vachichenjera bedzi kuita zvose zvandakavaraira, murayiro wose, nezvakatemwa, nezvakarairwa naMozisi.
Manase akatsausa vaJudha navakanga vagere Jerusaremu, vakaita zvakaipa kupfuura zvakaitwa nendudzi dzakaparadzwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri.
Jehovha akataura naManase navanhu vake; asi havana kuteerera.
Saka Jehovha akauyisa vakuru vehondo yamambo weAsiria kuzorwa navo, ivo vakabata Manase nezvikokovonho, vakamusunga namaketani, vakaenda naye Bhabhironi.
Zvino akati ari pakutambudzika kwake, akachema kuna Jehovha Mwari wake, akazvininipisa kwazvo pamberi paJehovha Mwari wamadzibaba ake;
akanyengetera kwaari; akamuteerera, akanzwa kukumbira kwake, ndokumudzosera Jerusaremu paushe hwake. Ipapo Manase akaziva kuti Jehovha ndiye Mwari.
Shure kwaizvozvi wakavaka rusvingo nechokunze kweguta raDhavhidhi, kurutivi rwamavirazuva rweGihoni, mumupata, ipo pavanopinda napo pasuo rehove; akakomberedza Oferi, akavaka rusvingo rwakakwirira kwazvo; akagadzawo vakuru vanoumhare pamaguta ose akakombwa paJudha.
Akabvisa vamwari vatorwa, nechifananidzo mumba maJehovha, nearitari dzose dzaakanga avaka mugomo reimba yaJehovha, napaJerusaremu, ndokuzvirashira kunze kweguta.
Akavakazve aritari yaJehovha, akabayirapo zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, nezvokuvonga, akaraira vaJudha kuti vashumire Jehovha Mwari walsiraeri.
Kunyange zvakadaro vanhu vakaramba vachibayira pamatunhu akakwirira, asi vakabayira Jehovha Mwari wavo bedzi.
Zvino mamwe mabasa aManase, nomunyengetero wake kuna Mwari wake, namashoko avaoni vakataura kwaari nezita raJehovha Mwari waIsiraeri, tarirai zvakanyorwa mubhuku yamabasa amadzimambo aIsiraeri.
Munyengetero wakewo, nokunzwika kwomunyengetero wake, nezvivi zvake, zvose, nokudarika kwake, nenzvimbo paakavaka matunhu akakwirira napaakaisa matanda okunamata nawo nemifananidzo yakavezwa, achigere kuzvininipisa, tarirai zvakanyorwa pakurondedzera kwaHozai.
Ipapo Manase akavata namadzibaba ake, vakamuviga mumba make, Amoni mwanakomana wake akamutevera paushe. Amoni mambo waJudha
Amoni akatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namaviri akabata ushe paJerusaremu makore maviri.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaita Manase baba vake; Amoni akabayira mifananidzo yose yakavezwa, yakanga yaitwa naManase baba vake, akazvishumira.
Haana kuzvininipisa pamberi paJehovha, sokuzvininipisa kwaManase baba vake; asi Amoni uyu akaramba achingowedzera kudarika kwake.
Varanda vake vakarangana vakamumukira, vakamuuraya mumba make.
Asi vanhu venyika iyo vakazouraya vose vakanga varangana vakamukira mambo Amoni; vanhu venyika iyo vakaita mwanakomana wake Josia mambo panzvimbo yake.

34

Josia akatanga kubata ushe ava namakore masere; akabata ushe paJerusaremu makore makumi matatu nerimwe.
Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, akafamba nenzira yababa vake Dhavhidhi, haana kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe.
Nokuti pagore rorusere rokubata kwake ushe, achiri muduku, akatanga kutsvaka Mwari waDhavhidhi baba vake; zvino pagore regumi namaviri akatanga kunatsa Judha neJerusaremu, achibvisa matunhu akakwirira, namatanda okunamata nawo nemifananidzo yakavezwa, nemifananidzo yakaumbwa.
Vakakoromora aritari dzavaBhaari, iye aripo; akatema mifananidzo yezuva yakanga yakaitwa pamusoro padzo; akaputsanya matanda okunamata nawo, nemifananidzo yakavezwa, nemifananidzo yakaumbwa, akazvikuya zvikaita guruva, akarisasa pamarinda avaizvibayira.
Akapisa mapfupa avapirisiti paaritari dzavo, akanatsa Judha neJerusaremu.
Akaitawo saizvozvo pamaguta aManase naEfuremu naSimiyoni, kusvikira paNafutari, pamatongo awo.
Akaputsa aritari, akakuya matanda okunamata nawo nemifananidzo yakavezwa zvikaita guruva, akatema mifananidzo yose yezuva panyika yose yaIsiraeri, ndokudzokera Jerusaremu.
Zvino pagore regumi namasere rokubata kwake ushe, akati anatsa nyika neimba, ndokutuma Shafani mwanakomana waAzaria, naMaaseya, mubati weguta, naJoa mwanakomana waJohazi, gurukota, kundogadzira imba yaJehovha Mwari wake.
Vakasvika kuna Hirikia mupirisiti mukuru, vakamupa mari yakanga yaiswa mumba yaMwari, yakanga yaunganidzwa navaRevhi, vatariri vemikova, pakati paManase paEfuremu, navose vakasara vavaIsiraeri navaJudha vose, navaBhenjamini, navakanga vagere Jerusaremu.
Vakaipa pamaoko avabati vakanga vachitarira imba yaJehovha, vakairipa kuzovandudza nokugadzirisa imba;
vakaipa vavezi navavaki, kuti vatenge mabwe akavezwa namatanda okubatanidza, nokuita mapango edzimba dzakanga dzaparadzwa namadzimambo aJudha.
Vanhu avo vakabata basa nokutendeka; vatariri vavo vaiva Jahati naObhadhiya, vaRevhi vavanakomana vaMerari, naZekariya, naMeshurami, vavanakomana vaKohati, kuzoraira basa; navamwe vaRevhi, vose vaiziva kuridza zvinoridzwa.
Ivo vaitarirawo vatakuri vemitoro, vakarairawo vose vaibata mabasa amarudzi ose; pakati pavaRevhi pakanga panavanyori, navatariri, navarindi vemikova.
Zvino vakati vachibudisa mari yakanga yaiswa mumba maJehovha, mupirisiti Hirikia ndokuwana bhuku yomurayiro waJehovha, wakanga wapiwa naMozisi.
Hirikia akapindura, akati kuna Shafani munyori, Ndawana bhuku yomurayiro mumba maJehovha. Hirikia ndokupa bhuku iyo kuna Shafani.
Zvino Shafani akaenda nebhuku kuna mambo, uye akendawo neshoko kuna mambo, akati, Zvose zvakarairwa varanda venyu, vanozviita.
Vakadurura mari yakawanikwa mumba maJehovha, vakaiisa mumaoko avatariri, nomumaoko avabati vebasa.
Zvino Shafani munyori akaudza mambo, akati, mupirisiti Hirikia andipa bhuku. Ipapo Shafani akaravamo pamberi pamambo.
Zvino mambo akati achinzwa mashoko omurayiro, akabvarura nguvo dzake.
Mambo .akaraira Hirikia naAhikami mwanakomana waShafani, naAbhidhoni mwanakomana waMika, naShafani munyori, naAsaya muranda wamambo, akati,
Endai mundondibvunzira Jehovha, ini navakasara vaIsiraeri navaJudha pamusoro pamashoko ebhuku yakawanikwa; nokuti kutsamwa kwaJehovha, kwadururwa pamusoro pedu, kukuru, nokuti madzibaba edu haana kuchengeta shoko raJehovha, kuti vaite zvose zvakanyorwa mubhuku iyi.
Ipapo Hirikia navakanga varairwa namambo vakaenda kuna Huridha muporofitakadzi, mukadzi waSharumi mwanakomana waTokihati, mwanakomana waHazira, muchengeti wenguvo, (zvino iye akanga agere Jerusaremu kurutivi rutsva rweguta;) vakataura naye saizvozvo.
Iye akati kwavari, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, Udzai munhu akakutumai kwandiri, muti,
Zvanzi naJehovha, tarirai, ndichauyisa zvakaipa pamusoro penzvimbo iyi, napamusoro pavagerepo, iko kutuka kwose kwakanyorwa mubhuku iyo yavakarava pamberi pamambo waJudha.
Nokuti vakandirasha, vakapisira vamwe vamwari zvinonhuwira, vakanditsamwisa namabasa ose amaoko avo; naizvozvo kutsamwa kwangu kwadururwa pamusoro penzvimbo iyi, hakungadzimwi.
Asi muti kuna mambo waJudha, akakutumai kuzobvunza Jehovha, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, kana ari mashoko awakanzwa,
moyo wako zvawakanga uri munyoro, ukazvininipisa pamberi paMwari, nguva yawakanzwa mashoko ake pamusoro penzvimbo iyi, napamusoro pavageremo, ukazvininipisa pamberi pangu, ukabvarura nguvo dzako, ukachema pamberi pangu, zvino zvanzi naJehovha, Ini ndakunzwawo.
Tarira, ndichakuisa kumadzibaba ako, uchavigwa muhwiro nomufaro; meso ako haangaoni zvakaipa zvose zvandichauyisa pamusoro penzvimbo iyi, navanhu vageremo. Vakadzoka neshoko kuna mambo.
Ipapo mambo akatuma vanhu vakaunganidza vakuru vose vaJudha naveJerusaremu.
Mambo akakwira kumba kwaJehovha, ana varume vose vaJudha, navose vakanga vagere Jerusaremu, navapirisiti, navaRevhi, navanhu vose, vakuru navaduku; akavaravira mashoko ose ebhuku yesungano yakanga yawanikwa mumba maJehovha.
Mambo akamira panzvimbo yake, akaita sungano pamberi paJehovha, akazvisunga kutevera Jehovha, nokuchengeta mirairo yake, nezvipupuriro zvake, nezvaakatema, nomoyo wake wose nomweya wake wose, kuti aite mashoko esungano akanyorwa mubhuku iyi.
Akaraira vose vakanga vari Jerusaremu naBhenjamini kuabvumira. Vagere Jerusaremu vakaita sezvakarehwa pasungano yaMwari, iye Mwari wamadzibaba avo.
Josia akabvisa zvakanga zvichinyangadza zvose panyika dzose dzaiva dzavaIsiraeri, akaraira vose vakanga vari pakati paIsiraeri kushumira Mwari, kushumira iye Jehovha Mwari wavo. Mazuva ake ose havana kutsauka pakutevera Jehovha Mwari wamadzibaba avo.

35

Zvino Josia akaitira Jehovha Pasika paJerusaremu; vakauraya gwayana rePasika nezuva regumi namana romwedzi wokutanga.
Akagadza vapirisiti pamabasa avo, akavatsungisa pabasa reimba yaJehovha.
Akati kuna vaRevhi vaidzidzisa vaIsiraeri vose, vakanga vari vatsvene kuna Jehovha, Isai areka tsvene muimba yakavakwa naSoromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo walsiraeri; hamuchazovi nomutoro pamafudzi enyu; zvino, shumirai Jehovha Mwari wenyu, navanhu vake Isiraeri.
Zvigadzirei, nedzimba dzamadzibaba enyu namapoka enyu, sezvakanyorwa naDhavhidhi mambo waIsiraeri, nezvakanyorwa naSoromoni mwanakomana wake.
Mumire panzvimbo tsvene, sezvamakagoverwa nedzimba dzamadzibaba ehama dzenyu ivo vana vavanhu; imba imwe neimwe yamadzibaba avaRevhi ipiwe mugove wayo.
Muuraye gwayana rePasika, muzvinatse, mugadzirire hama dzenyu; kuti muite sezvakarehwa neshoko raJehovha nomuromo waMozisi.
Ipapo Josia akapa vana vavanhu zvimwe zvipfuwo, mwakwayana nembudzana, zvose kuti zvive zvipiriso zvePasika, ivo vose vakanga varipo, vakasvika zviuru zvina makumi matatu, uye nzombe dzine zviuru zvitatu; izvi zvose zvakabva pafuma yamambo.
Namachinda ake akapawo nomoyo wose kuna vanhu, navapirisiti, navaRevhi. Hirikia, naZekariya, naJehieri, vabati veimba yaMwari, vakapa vapirisiti zvipfuwo zviduku zvine zviuru zviviri namazana matanhatu, nenzombe dzina mazana matatu, kuti zvive zvipiriso zvePasika.
NaKonania, naShemaya, naNetaneri, hama dzake, naHashabhia, naJeyieri, naJozabhadhi, vakuru vavaRevhi, vakapa vaRevhi zvipfuwo zviduku zvine zviuru zvishanu, nenzombe dzina mazana mashanu, kuti zvive zvipiriso zvePasika.
Basa rikagadzirwa saizvozvo, navapirisiti vakamira panzvimbo yavo, navaRevhi pamapoka avo, sezvavakanga varairwa namambo.
Ipapo vakauraya makwayana ePasika, vapirisiti ndokusasa ropa ravakapiwa navo, vaRevhi vakaavhiya.
Vakabvisa zvipiriso zvinopiswa, kuti vazvipe nemigove yedzimba dzamadzibaba avana vavanhu, kuti vazvibayire Jehovha, sezvakanyorwa mubhuku yaMozisi. Vakaita saizvozvo nenzombewo.
Vakagocha Pasika pamoto, sezvakanga zvarairwa; vakabika zvipiriso zvitsvene muhari, nomumakate, nomumakango, vakachimbidzika kuzviisa kuvana vose vavanhu.
Pashure vakazvigadzirira ivo navapirisiti; nokuti vapirisiti vanakomana vaAroni vakanga vachibayira zvipiriso zvinopiswa namafuta azvo kusvikira usiku; saka vaRevhi vakazvigadzirira ivo navapirisiti, ivo vanakomana vaAroni.
Navaimbi ivo vanakomana vaAsafi, vakanga vari panzvimbo yavo, sezvavakanga varairwa naDhavhidhi, naAsafi, naHemani, naJedhutuni muoni wamambo; navarindi va kanga vari pamasuo ose, ivo havana kufanira kubva pamabasa avo, nokuti hama dzavo vaRevhi dzakavagadzirira.
Basa rose raJehovha rikagadzirwa saizvozvo pazuva iro, rokuita Pasika, nokubayira zvipiriso zvinopiswa paaritari yaJehovha, sezvakanga zvarairwa namambo Josia.
Zvino vana vaIsiraeri vakanga varipo vakaita Pasika nenguva iyo, nomutambo wezvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe.
Pasika yakadai haina kumboitwa pakati paIsiraeri kubva pamazuva omuporofita Samueri; hakuna kumbova mumwe wamadzimambo aIsiraeri akaita Pasika yakanga yakafanana neyakaitwa naJosia, navapirisiti, navaRevhi, navaJudha navaIsiraeri vagere Jerusaremu.
Pasika iyo yakaitwa negore regumi namasere rokubata ushe kwaJosia. Josia anourawa pakurwa naNeko mambo weIjipiti
Shure kwaizvozvo zvose, Josia agadzira temberi, Neko mambo weIjipiti akandorwa naKarikemishi paYufuratesi; Josia akandorwa naye.
Asi iye akatuma nhume kwaari, achiti, Ndineiko newe, iwe mambo waJudha? Handina kuuya kuzorwa newe nhasi, asi neimba yandinosirwa nayo; Mwari akandiraira kuti ndichimbidzike; zvino iwe chirega hako kunetsa Mwari aneni, kuti arege kukuparadza.
Kunyange zvakadaro Josia akaramba kumurega, asi akazvishandura kuti arwe naye; haana kuteerera mashoko aNeko, akabva pamuromo waMwari, akaenda kundorwa naye pamupata waMegidho.
Zvino vapfuri vouta vakapfura mambo Josia; mambo akati kuvaranda vake, Ndibvisei, nokuti ndakuvadzwa kwazvo.
Ipapo varanda vake vakamubvisa pangoro yake, vakamuisa pangoro yake yechipiri yaakanga anayo, vakamuisa Jerusaremu; akafa, akavigwa mumahwiro amadzibaba ake. VaJudha vose neJerusaremu vakachema Josia.
Jeremiya akaita rwiyo rwokuchema Josia; navaimbi vose varume navaimbi vakadzi vakareva zvaJosia panziyo dzavo dzokuchema kusvikira nhasi; vakazviita tsika pakati paIsiraeri; tarirai zvakanyorwa panziyo dzokuchema.
Zvino mamwe mabasa aJosia, nezvakanaka zvaakaita, zvakanzwana nezvakanyorwa mumurayiro waJehovha,
nezvaakaita, zvokutanga nezvokupedzisira, tarirai zvakanyorwa mubhuku yamadzimambo aIsiraeri naJudha.

36

Ipapo vanhu venyika iyo vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosia, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake paJerusaremu.
Joahazi akatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namatatu, akabata ushe paJerusaremu mwedzi mitatu.
Mambo weIjipiti akamubvisa paushe paJerusaremu, akaripisa nyika matarenda esirivha ane zana, netarenda rimwe rendarama.
Mambo weIjipiti akagadza Eriyakimi munununa wake ave mambo waJudha neJerusaremu, akashandura zita rake, rikazova Jehoyakimu. Neko akatora munununa wake Joahazi, akaenda naye Ijipiti.
Jehoyakimu akatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore gumi nerimwe, akaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wake.
Zvino Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika kuzorwa naye, akamusunga namaketani, kundomuisa Bhabhironi.
Nebhukadhinezari akaendawo nedzimwe nhumbi dzeimba yaJehovha akadziisa Bhabhironi.
Zvino mamwe mabasa aJehoyakimu, nezvinonyangadza zvake zvaakaita, nezvakawanikwa maari, tarirai zvakanyorwa mubhuku yamadzimambo aIsiraeri naJudha; Jehoyakini mwanakomana wake akamutevera paushe.
Jehoyakini akatanga kubata ushe ava namakore masere, akabata ushe paJerusaremu mwedzi mitatu namazuva ane gumi; akaita zvakaipa pamberi paJehovha.
Zvino gore rikati rapera mambo Nebhukadhinezari akatuma nhume vakamuisa Bhabhironi, pamwechete nenhumbi dzinokosha dzeimba yaJehovha, akaita munununa wake Zedhekia mambo waJudha neJerusaremu. Zedhekia mambo wokupedzisira waJudha
Zedhekia akatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri nerimwe; akabata ushe paJerusaremu makore gumi nerimwe.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wake; haana kuzvininipisa pamberi pomuporofita Jeremiya, aitaura mashoko aibva pamurumo waJehovha. Nebhukadhinezari anoputsa Jerusaremu nokutapa vaJudha
Akamukirawo mambo Nebhukadhinezari, akanga amupikisa naMwari; asi akawomesa mutsipa wake, nokuomesa moyo wake, akarega kutendeukira kuna Jehovha Mwari waIsiraeri.
Uye vakuru vose vapirisiti navanhu vakadarika zvikuru kwazvo, vakatevera zvinonyangadza zvose zvavahedheni, vakasvibisa imba yaJehovha yaakanga atsaura paJerusaremu.
Jehovha Mwari wamadzibaba avo akatuma mashoko kwavari nenhume dzake, achifumira mangwanani achituma; nokuti akanga ane tsitsi navanhu vake uye nenzvimbo yake;
asi vakaseka nhume dzaMwari, vakazvidza mashoko ake, vakadadira vaporofita vake, kusvikira Jehovha atsamwira vanhu vake, kusvikira vasichagoni kurapwa.
Saka wakauyisa mambo wavaKaradhea kwavari akauraya majaya avo nomunondo paimba yavo tsvene; haana kunzwira tsitsi kunyange jaya, kana musikana, kana mutana, kana akachena vhudzi; akavaisa vose muruoko rwake.
Nhumbi dzosewo dzeimba yaMwari, huru neduku, nefuma yeimba yaJehovha, nefuma yamambo neyamachinda ake, akazviisa zvose Bhabhironi.
Vakapisa imba yaMwari, vakaputsa rusvingo rweJerusaremu, vakapisa dzimba dzose dzoushe dzaro nomoto, vakaparadza nhumbi dzose dzinokosha dzaro.
Avo vakanga vapukunyuka pamunondo, akaenda navo Bhabhironi; vakandova varanda vake navanakomana vake kusvikira ushe huchibatwa navaPeresia;
kuti shoko raJehovha, rakanga rarehwa nomuromo waJeremiya, riitike; kusvikira nyika yafarira maSabata ayo, nokuti panguva yose yokuparadzwa kwayo yakachengeta maSabata, ikasvitsa makore ana makumi manomwe. Koreshi mambo wePerisia unotendera vaJudha kudzoka
Zvino negore rokutanga raKoreshi mambo wePerisia, kuti shoko raJehovha rakanga rarehwa nomuromo waJeremiya riitike, Jehovha akamutsa mweya waKoreshi mambo wePerisia, akaparidza paushe hwake hwose, akazvinyorawo, achiti,
Zvanzi naKoreshi mambo wePerisia, Jehovha Mwari wokudenga akandipa ushe hwose hwenyika, akandiraira kuti ndimuvakire imba paJerusaremu riri paJudha. Ani naani aripo pakati penyu wavanhu vake, Jehovha Mwari wake ngaave naye, ngaakwire hake ko.

Holder of rights
Multilingual Bible Corpus

Citation Suggestion for this Object
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. 2 Chronicles (Shona). 2 Chronicles (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C57E-D