1
Zvino mambo Dhavhidhi wakanga akwegura, ava namakore mazhinji; vakamufukidza namachira, asi haana kudziyirwa.
Naizvozvo varanda vake vakati kwaari, Ishe wangu mambo ngaatsvakirwe mhandara, iye amire pamberi pamambo, avachengete, avate pachipfuva chenyu, kuti ishe wangu mambo vadziyirwe.
Ipapo vakatsvaka musikana wakanaka panyika yose yaIsiraeri, vakawana Abhishagi muShunami, vakamuisa kuna mambo.
Uyu musikana wakanga akanaka kwazvo, akachengeta mambo, akamushandira, asi mambo haana kupinda kwaari.
Zvino Adhonia mwanakomana waHagiti wakazvikudza, akati, Ini ndichava mambo; akazvigadzirira ngoro navatasvi vamabhiza, navarume vana makumi mashanu kuzomhanya pamberi pake.
Asi baba vake vakanga vasina kutongomuraira paupenyu hwake hwose, vachiti, Unoitireiko kudaro? Wakanga ari murume wakanaka kwazvo pamuviri wake; wakanga achitevera Abhusaromu pakuzvarwa kwake.
Akarangana naJoabhu, mwanakomana waZeruya, naAbhiatari mupirisiti, ivo vakatevera Adhonia, vakamubatsira.
Asi Zadhoki mupirisiti, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, naNatani muporofita, naShimei, naRei, nemhare dzakanga dzina Dhavhidhi, havana kutevera Adhonia.
Adhonia akabaya makwai nenzombe, nemhuru dzakakora, pabwe reZohereti, raiva paEni-rogeri, akadana hama dzake dzose ivo vanakomana vamambo, navarume vose vaJudha, varanda vamambo;
asi haana kudana Natani muporofita, naBhenaya, nemhare, naSoromoni munununa wake.
Ipapo Natani akataura naBhatishebha mai vaSoromoni, akati, Hauna kunzwa here kuti Adhonia mwanakomana waHagiti, wobata ushe, asi Dhavhidhi ishe wedu haazvizivi?
Naizvozvo zvino uya ndikupe zano, kuti urwire upenyu bwako noupenyu bwomwanakomana wako Soromoni.
Enda upinde kuna mambo Dhavhidhi, uti kwaari, Ishe wangu mambo, hamuna kupikira murandakadzi wenyu here, mukati, Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako, ndiye uchanditevera paushe, iye uchagara pachigaro chenyu choushe? Zvino Adhonia unobatireiko ushe?
Zvino tarira, iwe uchiri pakutaura namambo, ini ndichapindawo shure kwako, ndichisimbisa mashoko ako.
Bhati-shebha akapinda kuna mambo mumba; zvino mambo wakanga akwegura kwazvo, Abhishagi muShunami waishandira mambo.
Ipapo Bhatishebha akakotama, akanamata kuna mambo. Mambo akati, Unoreveiko?
Iye akati kwaari, Ishe wangu, imi makapikira murandakadzi wenyu naJehovha Mwari wenyu, mukati, Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako ndiye uchanditevera paushe, ndiye uchagara pachigaro changu choushe.
Asi zvino tarirai, Adhonia wobata ushe; asi imi ishe wangu mambo, hamuzvizivi.
Iye wabaya nzombe, nemhuru dzakakora, namakwai mazhinji, akadana vanakomana vose vamambo, naAbhiatari mupirisiti, naJoabhu mukuru wehondo, asi haana kudana Soromoni muranda wenyu.
Zvino ishe wangu mambo, meso avaIsiraeri vose anotarira kwamuri, kuti muvaudze kuti ndianiko unofanira kukuteverai pakugara pachigaro choushe chashe wangu mambo.
Kana musingadaro, kana ishe wangu mambo avata namadzibaba ake, ini nomwanakomana wangu Soromoni tichaidzwa vatadzi.
Zvino wakati achataura namambo, Natani muporofita akapindawo.
Vakaudza mambo, vakati, Natani muporofita wasvika. Iye wakati apinda pamberi pamambo, akakotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo.
Zvino Natani akati, Ishe wangu, mambo, makareva here kuti Adhonia uchakuteverai pakubata ushe, uchagara pachigaro chenyu choushe here?
Nokuti waburuka nhasi, akabaya nzombe nemhuru dzakakora, namakwai mazhinji, akadana vanakomana vose vamambo, navakuru vehondo, naAbhiatari mupirisiti; tarirai, vodya nokunwa pamberi pake, vachiti, Mambo Adhonia ngaararame
Asi ini muranda wenyu, naZadhoki mupirisiti, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, nomuranda wenyu Soromoni, haana kutidana.
Chinhu ichi chinoitwa nashe wangu mambo here, mukasazivisa varanda venyu kuti ndianiko unofanira kukuteverai pakugara pachigaro choushe chashe wangu mambo?
Ipapo mambo Dhavhidhi akapindura, akati, Ndidanirei Bhati-shebha. Iye akapinda kuna mambo, akamira pamberi pamambo.
Zvino mambo akapika, akati, NaJehovha mupenyu, iye wakadzikunura upenyu hwangu panjodzi dzose,
zvirokwazvo, sezvandakakupikira naJehovha Mwari waIsiraeri, ndichiti, Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako uchanditevera paushe, uchagara pachigaro changu choushe panzvimbo yangu; zvirokwazvo ndichazviita nhasi.
Ipapo Bhati-shebha akakotamira pasi nechiso chake, akapfugamira mambo, akati, Ishe wangu mambo Dhavhidhi ngaararame nokusingaperi.
Mambo Dhavhidhi akati, Ndidanirei Zadhoki mupirisiti, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha. Ivo vakapinda kuna mambo.
Mambo akati kwavari, Endai navaranda vashe wenyu, mutasvise Soromoni mwanakomana wangu pahesera rangu, mumuburusire Gihoni;
Zadhoki mupirisiti naNatani muporofita vamuzodze ipapo, ave mambo waIsiraeri; muridze hwamanda, muchiti, Mambo Soromoni ngaararame.
Zvino mukwire muchimutevera, iye auye kuzogara pachigaro choushe, nokuti uchava mambo panzvimbo yangu; ini ndakaraira kuti ave muchinda waIsiraeri nowaJudha.
Ipapo Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, akapindura mambo, akati, Ameni! Jehovha, Mwari washe wangu mambo, unodarowo.
Jehovha sezvaaiva nashe wangu mambo, saizvozvowo ngaave naSoromoni, akurise chigaro chake choushe, chipfuure chigaro choushe chashe wangu mambo Dhavhidhi.
Ipapo Zadhoki mupirisiti, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, navaKereti navaPereti vakaburuka, vakatasvisa Soromoni pahesera ramambo Dhavhidhi, vakamuisa Gihoni.
Zvino Zadhoki mupirisiti akatora gonamombe ramafuta paTende akazodza Soromoni. Vakaridza hwamanda, vanhu vose vakati, Mambo Soromoni ngaararame!
Zvino vanhu vose vakakwira, vakamutevera; vanhu vakaridza nyere, vakafara nomufaro mukuru; naizvozvo nyika ikaunga nenzwi radzo.
Zvino Adhonia navose vakanga vakokwa naye, vakazvinzwa, vapedza kudya. Ipapo Joabhu wakati achinzwa inzwi rehwamanda, akati, Mhere-mhere iyi inoitirweiko muguta, zvaranyonganiswa?
Wakati achitaura, Jonatani mwanakomana waAbhiatari mupirisiti, akasvika; Adhonia akati kwaari, Pinda, nokuti uri munhu wakatendeka, unouya namashoko akanaka.
Ipapo Jonatani akapindura, akati kuna Adhonia, Zvirokwazvo ishe wedu mambo Dhavhidhi wakagadza Soromoni paushe.
Uye mambo wakatuma Zadhoki mupirisiti, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, navaKereti navaPereti, vakamutasvisa pahesera ramambo;
uye Zadhoki mupirisiti, naNatani muporofita vakamuzodza paGihoni kuti ave mambo; vakabva ipapo, vakakwira nomufaro, naizvozvo guta rinowunga. Ndiyo mhere-mhere yamanzwa.
Zvino Soromoni wogara pachigaro choushe.
Uyewo, varanda vamambo vakaenda kuzokudza ishe wedu mambo Dhavhidhi, vachiti, Mwari ngaakurise zita raSoromoni, ripfuure zita renyu, akurise chigaro chake, chipfuure chigaro chenyu choushe; mambo akakotama panhovo dzake.
Uyezve mambo wakataura akati, Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, wakagadza mumwe nhasi kuti agare pachigaro changu choushe, meso angu achizviona.
Zvino vose vakanga vakakokwa naAdhonia vakatya, vakasimuka, mumwe nomumwe akaenda hake.
Adhonia akatya nokuda kwaSoromoni, akasimuka, akandobata nyanga dzeatari.
Zvino Soromoni akaudzwa, zvichinzi, Tarirai, Adhonia unotya mambo Soromoni, nokuti wandobata nyanga dzeatari, akati, Mambo Soromoni ngaandipikire nhasi, kuti haangaurayi muranda wake nomunondo.
Ipapo Soromoni akati, Kana akazova munhu kwaye, ruvhudzi rwake kunyange rumwe harungawiri pasi; asi kana zvakaipa zvikawanikwa maari, uchafa.
Naizvozvo mambo Soromoni akatuma vanhu, vakandomubvisa paatari. Akauya, akanamata kuna mambo Soromoni. Soromoni akati kwaari, Enda kumba kwako.
2
Zvino mazuva aDhavhidhi okufa kwake akaswedera, akaraira Soromoni mwanakomana wake, akati,
Ini ndoenda nenzira yenyika yose; naizvozvo iva nesimba, uve murume chaiye.
Chengeta zvawakarairwa naJehovha Mwari wako, kuti ufambe nenzira dzake, uchichengeta zvaakatema, nemirairo yake, nezvaakatonga, nezvipupuriro zvake, sezvazvakanyorwa pamurayiro waMozisi, kuti ufare pazvose zvaunoita, uye kwose kwaunoenda.
Kuti Jehovha asimbise shoko rake raakataura pamusoro pangu, achiti, Kana vana vako vakachenjera panzira dzavo, kuti vafambe pamberi pangu nezvokwadi nomoyo wavo wose uye nomweya wavo wose, (ndizvo zvaakataura), hakungazoshaikwi munhu pachigaro choushe chaIsiraeri.
Uye unozivawo zvandakaitirwa naJoabhu, mwanakomana waZeruya, izvo zvaakaitira vakuru vaviri vehondo dzaIsiraeri, vanaAbhineri mwanakomana waNeri, naAmasa mwanakomana waJeteri, vaakauraya, akateura panguva yorugare ropa raifanira kuteurwa panguva yokurwa, akaisa ropa rokurwa pabhanhire rakanga riri pachiuno chake, nomushangu dzake dzakanga dziri patsoka dzake.
Naizvozvo ita nokuziva kwako, urege kutendera musoro wake wachena kuburukira muhwiro norugare.
Asi vanakomana vaBharizirai muGiriyadhi, uvaitire unyoro, vave pakati paivo vanodya patafura yako; nokuti vakauya kwandiri saizvozvo panguva yandakatiza pamberi paAbhusaromu mukuru wako.
Tarira, kwauri kuna Shimei mwanakomana waGera, muBhenjamini weBhahurimi, iye, wakandituka nokutuka kwakaipa pazuva randakanga ndichienda Mahanaimi; asi wakazouya akasangana neni paJorodhani, ndikamupikira naJehovha, ndikati, Handingakuurayi nomunondo.
Asi zvino usamurega ave somunhu usine mhosva, nokuti iwe uri munhu wakachenjera; uchaziva hako zvaunofanira kumuitira, unofanira kuburusira musoro wake wachena muhwiro neropa.
Dhavhidi akazovata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi.
Nguva yakabata Dhavhidhi ushe hwaIsiraeri aiva makore makumi mana; akabata paHebhuroni makore manomwe, uye akabata paJerusaremu makore makumi matatu namatatu. Soromoni anoraira kuti Adhonia, naJoabhu naShimei vaurawe, naAbhiatari abviswe paupirisiti
Zvino Soromoni akagara pachigaro choushe chababa vake Dhavhidhi; ushe hwake hukasimba kwazvo.
Ipapo Adhonia mwanakomana waHagiti, akasvika kuna Bhati-shebha mai vaSoromoni. Ivo vakati, Unouya norugare here? Iye akati, Hongu, norugare.
Akatizve, Ndine chimwe chandinoda kukuudzai. Ivo vakati, Taura hako.
Akati, Munoziva kuti ushe hwaiva hwangu, meso avalsiraeri vose ainditarira, kuti ndive mambo; asi ushe hwakashandurwa, hukazova hwomunununa wangu, nokuti hwakanga huri hwake nokuda kwaJehovha.
Zvino ndinokumbira chinhu chimwe choga kwamuri; musandirambira henyu chinhu icho. Ivo vakati kwaari, Taura hako.
Akati, Dotauriranai henyu namambo Soromoni, nokuti haangakurambiriyi chinhu, kuti andipe Abhishagi muShunami, ave mukadzi wangu.
Bhati-shebha akati, Ndizvo hazvo, ndichakurevera kuna mambo.
Naizvozvo Bhati-shebha akaenda kuna mambo Soromoni kundorevera Adhonia. Mambo akasimuka kuzosangana naye, akakotama pamberi pake, akagara pachigaro choushe, akaraira kuti chigaro choushe chigadzirirwe mai vamambo; ivo vakagara kurutivi rwake rworudyi.
Ipapo vakati, Ndinokumbira kwauri chinhu chiduku; usandirambira hako chinhu ichi. Mambo akati kwavari, Kumbirai henyu, mai vangu, nokuti handingakurambiriyi icho.
Vakati, Adhonia mukuru wako ngaapiwe Abhishagi muShunami, ave mukadzi wake.
Ipapo mambo Soromoni akapindura, akati kuna mai vake, Munokumbirira Adhonia Abhishagi muShunami neiko? Mumukumbirireiwo ushe, nokuti ndiye mukuru wangu; mumukumbirirei iye, naAbhiatari mupirisiti, naJoabhu mwanakomana waZeruya.
Ipapo mambo Soromoni akapika naJehovha, akati, Mwari ngaandirove, arambe achidaro, Adhonia ucharipira shoko iri noupenyu hwake.
Naizvozvo zvino, naJehovha mupenyu, iye wakandisimbisa, akandigadza pachigaro choushe chababa vangu Dhavhidhi, akandimutsira imba sezvaakandipikira, zvirokwazvo Adhonia uchaurawa nhasi.
Ipapo mambo Soromoni akatuma Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, iye akamuvamba akamuuraya.
Mambo akati kuna Abhiatari mupirisiti, Enda Anatoti kunyika yako, nokuti waifanira kufa; asi handingakuurayi nhasi, nokuti wakambotakura areka yaJehovha Mwari pamberi pababa vangu Dhavhidhi, uye nokuti wakatambudzika pamwechete nababa vangu pakutambudzika kwavo kwose.
Naizvozvo Soromoni akadzinga Abhiatari, kuti arege kuva mupirisiti pamberi paJehovha; kuti aite shoko raJehovha, raakanga ataura pamusoro peimba yaEri paShiro.
Zvino shoko iro rikasvika kuna Joabhu, nokuti Joabhu wakanga atevera Adhonia, kunyange asina kutevera Abhusaromu. Joabhu akatizira kuTende raJehovha, akandobata nyanga dzeatari.
Ipapo mambo Soromoni akaudzwa, zvichinzi, Joabhu watizira kuTende raJehovha, tarirai, ari paatari. Ipapo Soromoni akatuma Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, akati, Enda undomuvamba.
Bhenaya akaenda kuTende raJehovha, akati kwaari, Zvanzi namambo, Budai! Iye akati, Kwete, ndichafira pano hangu. Bhenaya akaudza mambozve, akati, Ndizvo zvataura Joabhu, ndizvo zvaandipindura.
Ipapo mambo akati kwaari, Ita sezvaataura, umuvambe, ugomuviga; kuti ubvise kwandiri napaimba yababa vangu ropa rakateurwa naJoabhu rakanga risine mhosva.
Jehovha uchadzosera ropa rake pamusoro wake, nokuti wakauraya vanhu vaviri vakanga vakamupfuura pakururama nokunaka, akavauraya nomunondo, baba vangu Dhavhidhi vasingazvizivi, iye Abhineri mwanakomana waNeri, mukuru wehondo yaIsiraeri, naAmasa mwanakomana waJeteri, mukuru wehondo yaJudha.
Naizvozvo ropa ravo richadzokera pamusoro waJoabhu napamisoro yorudzi rwake nokusingaperi; asi rugare runobva kuna Jehovha ruchava naDhavhidhi, norudzi rwake, neimba yake, nechigaro chake choushe nokusingaperi.
Ipapo Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, akaenda, akamuvamba, ndokuuraya; akavigwa mumba make murenje.
Zvino mambo akagadza Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, panzvimbo yake ave mukuru wehondo; mambo akagadzawo Zadhoki ave mupirisiti panzvimbo yaAbhiatari.
Mambo akatuma munhu kundodana Shimei, akati kwaari, Uzvivakire imba paJerusaremu, ugarepo, usabvapo uchienda kumwe.
Nokuti nomusi waunobuda nawo, ukayambuka rukova Kidhironi, uzive kwazvo kuti uchaurawa zvirokwazvo; ropa rako richava pamusoro wako.
Ipapo Shimei akati kuna mambo, Ishoko rakanaka; muranda wenyu uchaita sezvakarehwa nashe wangu mambo. Shimei akagara mazuva mazhinji paJerusaremu.
Zvino makore matatu akati apfuura, varanda vaviri vaShimei vakatizira kuna Akishi mwanakomana waMaaka, mambo weGati. Vakaudza Shimei, vachiti, Tarira varanda vako vari Gati.
Ipapo Shimei akasimuka, akasungira chigaro pambongoro yake, akaenda Gati kuna Akishi, kundotsvaka varanda vake; Shimei akatora varanda vake Gati.
Zvino Soromoni akaudzwa kuti Shimei wakanga abuda Jerusaremu, akaenda Gati, akadzokazve.
Mambo akatuma munhu kundodana Shimei, akati kwaari, Handina kukupikisa naJehovha here, ndikakunyevera, ndichiti, Uzive kwazvo kuti nomusi waunobuda nawo, ukafamba kumwe, uchaurawa zvirokwazvo? Iwe ukati kwandiri, Shoko randanzwa rakanaka.
Zvino wakaregereiko kuchengeta mhiko yawakapika kuna Jehovha, nomurayiro wandakakuraira?
Mambo akatiwo kuna Shimei, Iwe unoziva kwazvo zvakaipa zvose zvawakaitira baba vangu Dhavhidhi; naizvozvo Jehovha uchadzosera zvakaipa zvako pamusoro wako.
Asi mambo Soromoni ucharopafadzwa, nechigaro choushe chaDhavhidhi chichasimbiswa pamberi paJehovha nokusingaperi.
Naizvozvo mambo akaraira Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, iye akaenda, akandomuvamba, ndokumuuraya. Naizvozvo ushe, hwakanga hwakabatwa naSoromoni, hwakasimbiswa.
3
Zvino Soromoni wakaita ukama naFarao, mambo weIjipiti, akawana mukunda waFarao, akamuisa kuguta raDhavhidhi, kusvikira apedza kuvaka imba yake neimba yaJehovha, norusvingo runopoteredza Jerusaremu.
Asi vanhu vakabayira zvibayiro pamatunhu akakwirira, nokuti kusvikira mazuva iwayo zita raJehovha rakanga richigere kuvakirwa imba.
Soromoni akada Jehovha, akafamba nemitemo yababa vake Dhavhidhi; asi wakabayira zvibayiro nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira.
Zvino mambo akaenda Gibhiyoni kundobayirapo, nokuti ndiwo wakanga uri mutunhu mukuru wakakwirira; Soromoni akabayira paaritari iyo zvipiriso zvinopiswa zvine chiuru chimwe.
Jehovha akazviratidza kuna Soromoni paGibhiyoni nokurota usiku. Mwari akati, Kumbira chaunoda kuti ndikupe.
Soromoni akati, Makaitira muranda wenyu Dhavhidhi, baba vangu, unyoro hukuru, zvaakafamba pamberi penyu nezvokwadi, nokururama, nomoyo wakanaka kwamuri; mukamuchengeterawo unyoro uhu hukuru, zvamakamupa mwanakomana kugara pachigaro chake choushe, sezvazvakaita nhasi.
Zvino Jehovha Mwari wangu, makaita muranda wenyu mambo panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi, asi ndiri mwana hangu, handizivi mutowo wokubuda nawo kana kupinda nawo.
Muranda wenyu uri pakati pavanhu venyu vamakatsaura, vanhu vazhinji kwazvo, vasingagoni kurahwa kana kuverengwa nokuwanda kwavo.
Naizvozvo ipai muranda wenyu moyo unonzwisisa, kuti nditambe mhaka dzavanhu venyu, ndizive kutsaura pakati pezvakanaka nezvakaipa; nokuti ndianiko anogona kutamba mhaka dzavanhu venyu ava vakawanda?
Zvino kutaura uku kwakafadza Ishe, kuti Soromoni wakakumbira chinhu ichi.
Ipapo Mwari akati kwaari, Zvawakumbira chinhu ichi, ukasazvikumbirira upenyu hwamazuva mazhinji, kana kuzvikumbirira fuma, kana kukumbira kuti vavengi vako vafe; asi wakazvikumbirira kungwara, kuti unzwisise kutamba mhaka;
tarira, ndaita sezvawataura; tarira ndakupa moyo waka ngwara, unonzwisisa; naizvozvo hakuna kumbova nomumwe wakafanana newe, kana shure kwako hakungazovi nomunhu ungafanana newe.
Ndakupawo zvausina kukumbira, fuma nokukudzwa; naizvozvo hakungazovi nomumwe pakati pamadzimambo ungafanana newe pamazuva ako ose.
Kana ukada kufamba nenzira dzangu, nokuchengeta mitemo yangu nemirairo yangu, sezvakafamba baba vako Dhavhidhi, ipapo ndichawanza mazuva ako.
Ipapo Soromoni akamuka, akaona kuti kwakanga kuri kurota; akaenda Jerusaremu, akamira pamberi peareka yesungano yaJehovha, akabayira zvipiriso zvinopiswa, akabayirawo zvipiriso zvokuyananisa, akaitira varanda vake vose mutambo.
Zvino vakadzi vaviri, vaiva zvifeve, vakasvika kuna mambo, vakamira pamberi pake.
Mumwe mukadzi akati, Haiwa, ishe wangu, ini nomukadzi uyu tigere paimba imwe; ini ndikapona mwana ndigere naye paimba.
Zvino ini ndakati ndapona mazuva matatu, mukadzi uyu akaponawo, tigere pamwechete; kwakanga kusino mweni nesu mumba, asi isu vaviri toga mumba.
Zvino mwana womukadzi uyu akafa usiku, nokuti wakavata pamusoro pake.
Akamuka pakati pausiku, akatora mwanakomana wangu parutivi rwangu, murandakadzi wenyu avete, akamuradzika pachipfuva chake, akaradzika mwana wake wakafa pachipfuva changu.
Zvino ndakati ndichimuka mangwanani kuzomwisa mwana wangu, ndikawana akafa; asi ndakati ndichimucherekedza mangwanani, wonei haazi mwanakomana wangu, wandakabereka.
Ipapo mumwe mukadzi wakati, Kwete, asi mupenyu ndiye mwanakomana wangu, wakafa ndiye mwanakomana wako; uyu akati, Kwete, asi wakafa ndiye mwanakomana wako, mupenyu ndiye mwanakomana wangu. Vakataura saizvozvo pamberi pamambo.
Ipapo mambo akati, Mumwe unoti, Mwanakomana wangu ndouyu mupenyu, mwana wako ndiye wakafa, mumwezve unoti, Kwete, asi mwanakomana wako ndiye wakafa, mupenyu ndiye mwanakomana wangu.
Mambo akati, Nditorerei munondo. Vakauya nomunondo kuna mambo.
Mambo akati, Gurai mwana mupenyu napakati, mupe mumwe rutivi rumwe, nomumwe rumwe rutivi.
Ipapo mukadzi waiva mai womwana mupenyu akataura kuna mambo, nokuti moyo wake wakava pamusoro pomwanakomana wake, akati, Haiwa, ishe wan.gu, mumupe henyu mwana mupenyu, regai kumuuraya. Asi mumwe wakati, Ngaachirega kuva wangu kana wako, mugurei.
Ipapo mambo akapindura, akati, Mumupe mwana mupenyu, regai kumuuraya, ndivo mai vake.
Valsiraeri vose vakanzwa kutonga kwamambo, vakatya mambo; nokuti vakaona kuti kungwara kwaMwari kwaiva maari, kuti atambe mhaka zvakanaka.
4
Zvino mambo Soromoni wakanga ari mambo wavaIsiraeri vose.
Ndiwo machinda aaiva nawo: Azaria mwanakomana waZadhoki waiva mupirisiti;
Erihorefi naAhija, vanakomana vaShisha, vaiva vanyori; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi waiva sahwira.
Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, waiva mukuru wehondo, Zadhoki naAbhiatari vaiva vapirisiti;
Azaria mwanakomana waNatani, waiva mukuru wavatariri; Zabhudhi mwanakomana waNatani waiva mupirisiti, shamwari yamambo.
Abhishari waiva mutariri weimba; Adhoniramu mwanakomana waAbhidha, waiva mutariri wechibharo.
Soromoni waiva navatariri vane gumi navaviri vairaira vaIsiraeri vose, vaitsvakira mambo neimba yake zvokudya; mumwe nomumwe waifanira kutsvaka zvokudya zvomwedzi mumwe gore rimwe nerimwe.
Ndiwo mazita avo: Bhehuri, munyika yamakomo yaEfuremu;
naBhenedhekeri paMakazi, napaSharibhimi, neBhetishemeshi, neEronibhetihananai;
naBhenihesedhi paArubhoti; iye wakanga ane shoko, nenyika yose yeHeferi;
naBheniabhinadhabhi panyika yose yeDhori; mukadzi wake wakanga ari Tafati, mukunda waSoromoni;
naBhaana mwanakomana waAhirudhi, paTaanaki neMegidho, nenyika yose yeBhetisheani, iri parutivi rweZaretani, pazasi peJezereeri, kubva paBhetisheani kusvikira paAbherimehora seri kweJokimeami;
naBhenigebheri paRamotiGiriyadhi; iye wakanga ane misha yaJairi, mwanakomana waManase, yaiva paGiriyadhi; iye wakanga ane nyika yeArigobhi, iri paBhashani, maguta makumi matanhatu aiva namasvingo namazariro endarira;
naAhinadhabhi mwanakomana waIdho, paMahanaimi;
naAhimaazi paNafitari; iye wakanga awanawo Bhasemati mukunda waSoromoni;
naBhaana mwanakomana waHushai, paAsheri nebhiyaroti;
naJosafati mwanakomana waParua, paIsakari;
naShimei mwanakomana waEra, paBhenjamini;
naGebheri mwanakomana waUri, waiva panyika yeGiriyadhi, nyika yaSihoni, mambo wavana vaAmori neyaOgi, mambo weBashani; iye wakanga ari mutariri mumwe woga panyika iyo.
VaJudha navalsiraeri vakanga vari vazhinji, vakanga vakawanda sejecha pagungwa, vakadya, vakanwa, vakafara.
Zvino Soromoni wakabata ushe hwose, kubva paRwizi kusvikira kunyika yavaFirisitia, nokusvikira kumuganhu weIjipiti; vanhu vakauya nezvipo, vakashumira Soromoni mazuva ose oupenyu hwake.
Zvokudya zvaSoromoni zvezuva rimwe zvaiva zviyero zvina makumi matatu zvoupfu hwakatsetseka nezviyero zvina makumi matanhatu zvoupfu;
nenzombe dzina makumi maviri dzokumafuro, namakwai ane zana, nenondo, nemhara, nemhembwe, neshiri dzakakodzwa.
Nokuti wakabata ushe panyika yose nechokuno kwoRwizi, kubva paTifisa kusvikira paGaza, namadzimambo ose aiva nechokuno kwoRwizi; akava norugare kunhivi dzose dzakanga dzakamupoteredza.
VaJudha navaIsiraeri vakanga vagere zvakanaka, mumwe nomumwe pasi pomuzambiringa wake napasi pomuwonde wake, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha, mazuva ose aSoromoni.
Soromoni wakanga ane zvidyiro zvine zviuru zvina makumi mana zvamabhiza engoro dzake, navatasvi vane zviuru zvine gumi nezviviri.
Vatariri ava vaitsvakira mambo Soromoni zvokudya, navose vaidya patafura yamambo Soromoni, mumwe nomumwe nomwedzi wake; havana kushaisa chinhu chimwe.
Nebhari nouswa hwamabhiza namabhiza aimhanyisa vakauya nazvo panzvimbo yakafanira, mumwe nomumwe sezvaakanga arairwa.
Mwari akapa Soromoni kungwara nokunzwisisa kukuru, nomoyo wakaziva zvakanaka, zvakafanana nejecha riri pamhenderekedzo yegungwa.
Kungwara kwaSoromoni kwakapfuura kungwara kwavana vamabvazuva, nokungwara kwose kwavaIjipiti.
Nokuti wakapfuura vanhu vose nokungwara; wakakunda Etani muEzirahi, naHemani, naKarikori, naDharidha, vana vaMahori; mukurumbira wake ukasvika kundudzi dzose dzakanga dzakavapoteredza.
Wakataurawo shumo dzine zviuru zvitatu, uye nziyo dzake dzakasvika chiuru chimwe neshanu.
Akataura zvemiti, kubva pamisidhari iri paRebhanoni kusvikira pamuhisopi unomera parusvingo; akataurawo zvemhuka, neshiri, nezvinokambaira, nehove.
Vanhu vamarudzi ose vakauya kuzonzwa kungwara kwaSoromoni, vakabva kumadzimambo ose enyika, vakanga vanzwa zvokungwara kwake.
5
Zvino Hiramu, mambo weTire, wakatumira varanda vake kuna Soromoni, nokuti wakanga anzwa kuti vakamuzodza ave mambo panzvimbo yababa vake; nokuti Hiramu wakanga achida Dhavhidhi nguva yose.
Soromoni akatuma nhume kuna Hiramu akati,
Munoziva kuti Dhavhidhi baba vangu, vakanga vasingagoni kuvakira zita raJehovha Mwari wavo imba, nokuda kwehondo dzairwiwa kumativi ose, kusvikira Jehovha avaisa pasi petsoka dzake.
Asi zvino Jehovha Mwari wangu wakandizorodza kumativi ose, hakuna muvengi kana chimwe chinhu chakaipa.
Zvino tarirai, moyo wangu unoda kuvakira zita raJehovha Mwari wangu imba, sezvakataurwa naJehovha kuna baba vangu, achiti, Mwanakomana wako, wandichagadza pachigaro chako choushe panzvimbo yako, ndiye uchavakira zita rangu imba.
Naizvozvo zvino, chirairai kuti vanditemere miti yemisidhari paRebhanoni; varanda vangu vachabata pamwechete navaranda venyu; ini ndichakupai mubayiro wava randa venyu sezvamuchareva; nokuti munoziva kuti pakati pedu hapana munhu unoziva kutema matanda ungafanana navaZidhoni.
Zvino Hiramu wakati achinzwa mashoko aSoromoni, akafara kwazvo, akati, Nhasi Jehovha ngaavongwe, iye wakapa Dhavhidhi mwanakomana wakangwara kuzobata vanhu ava vazhinji.
Ipapo Hiramu akatuma nhume kuna Soromoni, akati, Ndanzwa shoko ramatuma kwandiri; ndichaita zvose zvamunoda pamusoro pamatanda emisidhari, namatanda emisipiresi.
Varanda vangu vachaaburusa paRebhanoni vachiaisa kugungwa; ndichaabatanidza aende negungwa sezvamuchandiraira, ndicharaira kuti asunungurwe ipapo, muagamuchire; imi mugoita sezvandinoda, muchipa vanhu veimba yangu zvokudya.
Naizvozvo Hiramu akapa Soromoni matanda emisidhari namatanda emisipiresi, zvose sezvaaida.
Soromoni akapawo Hiramu zviyero zvine zviuru zvamakumi maviri zvezviyo zvive zvokudya zvavanhu veimba yake; nezviyero zvina makumi maviri zvamafuta akasvinwa; Soromoni akapa Hiramu saizvozvo gore rimwe nerimwe.
Jehovha akapa Soromoni kungwara, sezvaakamupikira; Hiramu naSoromoni vainzwana, ivo vaviri vakaita sungano.
Mambo Soromoni akadana vanhu vechibharo pakati pavaIsiraeri vose; vanhu vechibharo vaiva zviuru zvina makumi matatu.
Akavatumira Rebhanoni, mwedzi mumwe nomumwe zviuru zvine gumi, vachiravana; vaiva paRebhanoni mwedzi mumwe, nokumusha mwedzi miviri; Adhoniramu ndiye wairaira vanhu vechibharo.
Uye Soromoni wakanga ana vatakuri vemitoro vane zviuru makumi manomwe, navatemi vamatanda pamakomo vane zviuru zvina makumi masere;
vatariri vakuru vaSoromoni, vairaira basa, vasingaverengwi, ivo vaiva nezviuru zvitatu namazana matatu, vairaira vanhu vaibate basa.
Mambo akaraira, vakaputsa mabwe makuru, mabwe aikosha, kuti vateye nheyo dzeimba namabwe akavezwa.
Vavaki vaSoromoni navavaki vaHiramu navaGhebhari vakaaveza, vakagadzira matanda namabwe kuzovaka imba.
6
Zvino pagore ramazana mana namakumi masere shure kwokubuda kwavana vaIsiraeri panyika yeIjipiti, pagore rechina rokubata ushe kwaSoromoni pakati paIsiraeri, nomwedzi weZifi, ndiwo mwedzi wechipiri, wakatanga kuvaka imba yaJehovha.
Imba yakavakirwa Jehovha namambo Soromoni yakasvika makubhiti makumi matanhatu pakureba kwayo, namakubhiti maviri paupamhi hwayo, namakubhiti makumi matatu pakukwirira kwayo;
uye biravira pamberi petemberi yeimba yaJehovha rakasvika makubhiti makumi maviri pakureba kwaro, zvichienzana noupamhi hweimba; upamhi hwaro hwakasvika makubhiti ane gumi pamberi peimba.
Akaitirawo imba mahwindo ezvitanda zvakachinjikwa.
Akavaka dzimba dzakaturikidzana pachidziro cheimba kunhivi dzose, pamadziro eimba kunhivi dzose, etemberi napaitaura Jehovha; akaitawo makamuri panhivi dzose dzakapoteredza;
upamhi hweimba yapanyasi hwaiva namakubhiti mashanu, noupamhi hweimba yapakati makubhiti matanhatu, noupamhi hweimba yechitatu makubhiti manomwe; nokuti nechokunze wakavaka zvitukuriso pamadziro eimba kunhivi dzose, kuti matanda arege kupinda mukati mamadziro eimba.
Zvino imba pakuvakwa kwayo, yakavakwa namabwe akanga agadzirwa ipapo pavaiputsa; pakuvakwa kwayo hakuna kunzwika mukati meimba nyundo, kana sanhu, kana nhumbi ipi neipi yedare.
Mukova wamakamuri apanyasi enhivi wakanga uri kurutivi rworudyi rweimba; zvino vaikwira nezvikwiriso zvinomonereka kumakamuri apakati, uye kana vobva panaapakati vachienda kuneechitatu.
Naizvozvo akavaka imba, akaipedza; ndokufukidza imba namatanda uye namapuranga emisidhari.
Akavaka dzimba dzakaturikidzana paimba yose, imwe neimwe yakanga yakaita makubhiti mashanu pakukwirira kwayo, dzikabatanidzwa paimba namatanda emisidhari.
Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Soromoni, richiti,
Kana iri imba iyi yaunovaka, kana ukafamba nemitemo yangu, ukaita zvandakatonga, ukachengeta mirairo yangu yose ukafamba nayo, ini ndichasimbisa shoko rangu newe, iro randakataura kuna Dhavhidhi baba vako.
Ndichagara pakati pavana vaIsiraeri, handingarashi vanhu vangu vaIsiraeri.
Naizvozvo Soromoni akavaka imba, akaipedza.
Akavaka madziro eimba mukati namapuranga omusidhari; kubva paguva reimba kusvikira padenga ramadziro, akafukidza nechomukati namapuranga, akafukidza guva reimba namapuranga omusipiresi.
Akavakawo necheshure kweimba imwe imba yakasvika makubhiti ana makumi maviri namapuranga omusidhari kubva paguva kusvikira pamusoro pamadziro; akaivaka iyo pave pangataura Jehovha, iri nzvimbo tsvene-tsvene.
Zvino imba, iyo temberi, yakanga iri pamberi, yakasvika makubhiti makumi mana.
Matanda omusidhari mukati meimba akanga akavezwa namafundo namaruva akazaruka; yaiva misidhari yoga, kwanga kusinebwe rakaonekwa.
Akagadzira pangataura Jehovha mukati meimba, kuti agadzikepo areka yesungano yaJehovha.
Pangataura Jehovha mukati pakasvika makubhiti makumi maviri paupamhi hwapo, namakubhiti makumi maviri pakukwirira kwapo; akazvifukidza zvose nendarama yakaisvonaka; nearitari akaifukidza nomusidhari.
Naizvozvo Soromoni wakafukidza imba yose nechomukati mayo nendarama yakaisvonaka; akachinjikisa maketani endarama pamberi pangataura Jehovha, akaifukidza nendarama.
Akafukidza imba yose nendarama kusvikira imba yose yapera; akafukidzawo aritari yose yaiva yapangataura Jehovha nendarama.
Akaitira pangataura Jehovha makerubhi maviri omuorivhi, rimwe nerimwe rakasvika makubhiti ane gumi pakureba.
Bapiro rimwe rekerubhi rakasvika makubhiti mashanu pakureba kwaro, nerimwe bapirowo rekerubhi makubhiti mashanu; kubva pamuromo webapiro rimwe kusvikira pamuromo werimwezve, aiva makubhiti ane gumi.
Rimwe kerubhi rakasvikawo makubhiti ane gumi; makerubhi ose maviri akanga akaenzana pakukura nokuumbwa.
Rimwe kerubhi rakasvika makubhiti ane gumi, uye ndizvo zvakanga zvakaita rimwewo.
Akagadza makerubhi mukati meimba yomukati; mapapiro amakerubhi akanga akatambanudzwa, bapiro rimwe rekerubhi rimwe rakasvika kumadziro mamwe, uye bapiro rimwe rekerubhi rimwezve rakasvika kunamamwe madziro; mapapiro awo akagunzvana pakati peimba.
Akafukidza makerubhi nendarama.
Akaveza pamadziro ose eimba kunhivi dzose mifananidzo yakavezwa yamakerubhi nemichindwe, namaruva akazaruka, mukati nokunze;
akafukidzawo guva reimba nendarama, mukati nokunze.
Akaitira mikova yapangataura Jehovha magonhi omuorivhi; chivivo chapamusoro namagwatidziro zvakaita makona mashanu.
Naizvozvo akaita magonhi maviri omuorivhi, akaveza pamusoro pawo mifananidzo yamakerubhi nemichindwe, namaruva akazaruka, akaafukidza nendarama; akaisa ndarama pamusoro pamakerubhi napamichindwe.
Saizvozvowo akaitira mikova yetemberi zvivivo zvemiorivhi, zvakanga zvine nhivi ina dzakaenzana;
namagonhi maviri omusipiresi; mapenga maviri egonhi rimwe aipetwa, uye mapenga maviri erimwe gonhizve aipetwa.
Akavezerapo makerubhi nemichindwe namaruva akazaruka; akazvifukidza nendarama, yakanyatsoiswa pamusoro pezvakavezwa.
Akavaka ruvazhe rwomukati nemitsara mitatu yamabwe akavezwa, nomusara wamatanda omusidhari.
Nheyo dzeimba yaJehovha dzakavambwa negore rechina raSoromoni, nomwedzi weZivi.
Negore regumi nerimwe, nomwedzi weBuri, ndiwo mwedzi worusere, imba ikapera chose nezvose zvayo, sezvayaifanira kuvakwa. Naizvozvo wakapedza makore manomwe pakuivaka.
7
Soromoni wakapedza makore gumi namatatu pakuvaka imba yake, akapedza imba yake yose.
Nokuti wakavaka imba nemiti yamatondo eRebhanoni; yakanga yakasvika makubhiti ane zana pakureba kwayo, namakubhiti makumi mashanu paupamhi hwayo, namakubhiti makumi matatu pakukwirira kwayo; akaivaka pamusoro pemitsara mina yembiru dzemisidhari, namatanda emisidhari pamusoro pembiru.
Yakanga yakafukidzwa namatanda emisidhari kumusoro, pamusoro pamakamuri aiva namakumi mana namashanu pamusoro pembiru, makamuri ane gumi namashanu pamusara mumwe.
Kwakanga kunemisara mitatu yamahwindo, hwindo rimwe rakatarisana nerimwe hwindo, pamitsara mitatu yakaturikidzana.
Magonhi ose namagwatidziro zvaiva namativi mana akaenzana; hwindo rimwe rakanga rakatarisana nerimwe hwindo, pamitsara mitatu yakaturikidzana.
Akaita biravira rembiru; rakanga rakasvika makubhiti makumi mashanu pakureba kwaro, namakubhiti makumi matatu paupamhi hwaro, nebiravira pamberi padzo, nedzimwe mbiru namatanda makobvu pamberi padzo.
Akaitawo biravira rechigaro chake choushe, paangatonga mhaka, iro biravira rokutonga; iro rakanga rakafukidzwa namapuranga omusidhari kubva paguva kusvikira padenga.
Neimba yake yokugara, kuno rumwe ruvazhe mukati mebiravira, yakanga yakaitwa saizvozvo. Akaitirawo mukunda waFarao imba, (waakanga awana iye Soromoni,) yakanga yakafanana nebiravira iro.
Idzi dzose dzakanga dzakavakwa namabwe anokosha, ari mabwe akavezwa, akaenzaniswa zvakanaka, akachekwa namajeko mukati nokunze, kubva panheyo kusvikira kumusoro, nokunzewo kusvikira kuruvazhe rukuru.
Nheyo dzakanga dzakavakwa namabwe anokosha, mabwe makuru, mabwe akasvika makubhiti ane gumi, namabwe akasvika makubhiti masere.
Kumusoro kwakanga kuna mabwe anokosha, mabwe akavezwa, akaenzaniswa zvakanaka, namapuranga omusidhari.
Ruvazhe rukuru rwakanga rwakapoteredza, rwakanga rune misara mitatu yamabwe akavezwa, nomusara mumwe wamatanda omusidhari; rwakanga rwakafanana noruvazhe rwomukati rweimba yaJehovha, nebiravira reimba.
Zvino mambo Soromoni akatuma vanhu kundotora Hiramu paTire.
lye wakanga ari mwanakomana wechirikadzi yorudzi rwaNafitari; baba vake vaiva munhu weTire, mupfuri wendarira; iye wakanga akangwara kwazvo ane njere noumhizha kubata mabasa ose endarira. Akauya kuna mambo Soromoni, akabata mabasa ake ose.
Nokuti wakaumba mbiru mbiri dzendarira, imwe neimwe yakasvika makubhiti ane gumi namasere pakureba; uye pakuyera rwonzi rwakasvika makubhiti ane gumi namaviri rwakapoteredza mbiru imwe neimwe.
Akaumbawo misoro miviri yendarira yakanyauswa, kuti iiswe pamusoro pembiru; musoro mumwe wakasvika makubhiti mashanu pakureba, nomumwe musoro makubhiti mashanuwo pakureba.
Misoro, yaiva pamusoro pembiru, yakanga ine mimbure yakarukwa yendarira, nezvishongo zvamaketani; minomwe yomusoro mumwe, neminomwe yomumwe musorozve.
Akaitawo matamba, kwakanga kune misara miviri yakapoteredza pamusoro pomumbure mumwe, kufukidza misoro yakanga iri pamusoro pembiru, akaitira mumwe musoro saizvozvo.
Misoro, yaiva pamusoro pembiru pabiravira, yakanga ina maruva amahapa akavezwa, akasvika makubhiti mana.
Kumusoro kwakanga kune misorowo pamusoro pembiru mbiri, pedo nedumbu rakanga riri parutivi rwomumbure wakarukwa; namatamba akanga ana mazana maviri, akaita mitsara yakapoteredza pamusoro pomumwe musoro.
Zvino akamisa mbiru pabiravira retemberi, akamisa mbiru yorudyi, akatumidza zita rayo Jakini; akamisa mbiru yoruboshwe, akatumidza zita rayo Bhoazi.
Pamusoro pembiru pakanga pane zvishongo zvamaruva amahapa, naizvozvo basa rapambiru rakapera.
Zvino akaita dziva rendarira yakanyauswa, rakasvika makubhiti ane gumi paupamhi pamuromo, rakatenderera; kukwirira kwaro kwakasvika makubhiti mashanu; uye pakuyera rwonzi rwakasvika makubhiti makumi matatu rwakaripoteredza.
Pasi pomuromo waro pakanga panamafundo akaripoteredza, akanga ane gumi pakubhiti rimwe nerimwe, aipoteredza dziva; mafundo akaita misara miviri, akaumbwa pamwechete naro.
Rakanga rimire pamusoro penzombe gumi nembiri, nhatu dzakanga dzakatarira kurutivi rwokumusoro, nhatu kurutivi rwa mavirazuva, nhatu kurutivi rwezasi, uye nhatu kurutivi rwamabvazuva, dziva rakanga rakagadzwa pamusoro padzo, idzo dzakafuratirana.
Ukobvu hwaro hwaiva soupamhi hwechanza, uye muromo waro wakanga wakafanana nomuromo wembiya, seruva rehapa, mukati maro maipinda mabhati ane zviuru zviviri.
Akaitawo zvingoro zvine gumi zvendarira; chingoro chimwe nechimwe chaisvika makubhiti mana pakureba, namakubhiti mana paupamhi, namakubhiti matatu pakukwirira.
Zvingoro zvakanga zvakaitwa kudai: Zvaiva noukomba, ukomba uhwo hwakakombwa nemidengerero.
Paukomba uhwo pakati pemidengerero paiva neshumba, nenzombe, namakerubhi; pamusoro pemidengerero pakanga pakadarowo; pasi peshumba nenzombe paiva nezvishongo zvakarembera.
Chingoro chimwe nechimwe chaiva namakumbo mana endarira nezvokumonerekerapo zvendarira, makumbo acho mana aiva nezvitsigiro; zvitsigiro izvo zvakanga zvakaumbirwa pasi pomudziyo wokushambidzira, nezvishongo kurutivi rumwe norumwe.
Muromo wawo pakati pomusoro nokumusoro kwawo wakasvika kubhiti rimwe; muromo wawo wakanga wakatenderera, wakafanana nechigadziko, kubhiti rimwe nehafu; pamuromo wawo paiva nezvakanyorwa, asi ukomba hwawo hwaiva namativi mana akaenzana, zvisina kutenderera.
Makumbo mana akanga ari pasi poukomba, uye zvokubatisa makumbo zvaiva pangoro; gumbo rimwe nerimwe rakasvika kubhiti rimwe nehafu pakukwirira kwaro.
Makumbo akanga akafanana namakumbo engoro; zvokubatisa makumbo, namafero, namasipoki, namaneivhi zvakanga zvakaumbwa zvose.
Paiva nezvitsigiro zvina pamakona mana echingoro chimwe nechimwe; zvitsigiro zvaiva zvimwe nengoro imene.
Pamusoro pechingoro paiva nechitenderere chakasvika hafu yekubhiti pakukwirira uye pamusoro pengoro zvitsigiro zvayo nohukomba hwayo zvaiva zvimwe.
Panhivi dzezvitsigiro zvayo, uye paukomba hwayo akaveza makerubhi neshumba, nemiti yemichindwe pazvakaringana, nezvishongo kunhivi dzose.
Akaita zvingoro zvine gumi saizvozvo; zvose zvakanga zvakafanana pakuumbwa nokuenzana, nomufananidzo mumwe.
Akaita midziyo yokushambidzira ine gumi; mudziyo mumwe nomumwe waipinda mabhati makumi mana emvura; mudziyo mumwe nomumwe wakasvika makubhiti mana; pangoro dzose gumi pakanga pane mudziyo pangoro imwe neimwe.
Akaisa zvingoro, zvishanu kurutivi rworudyi rweimba, uye zvishanu kurutivi rworuboshwe rweimba; akagadzika dziva kurutivi rworudyi rweimba kumabvazuva nechezasi.
Hiramu akaita midziyo yokushambidzira, nefoshoro, nembiya. Naizvozvo Hiramu akapedza mabasa ose aakaitira Soromoni paimba yaJehovha;
zvaiti: Mbiru mbiri, nembiya mbiri dzemisoro miviri, yaiva pamisoro yembiru; uye mimbure miviri yokufukidza nayo mbiya mbiri dzemisoro miviri yaiva pamusoro pembiru;
namatamba ana mazana mana emimbure miviri, misara miviri yamatamba pamumbure mumwe nomumwe, kufukidza mbiya mbiri yemisoro yaiva pamusoro pembiru;
nezvingoro zvine gumi, nemidziyo yokushambidzira ine gumi pamusoro pezvingoro;
nedziva rimwe, nenzombe gumi nembiri pasi pedziva;
nehari, nefoshoro, nembiya; nhumbi idzi dzose dzakaitirwa mambo Soromoni naHiramu mumba maJehovha, dzakanga dzakaitwa nendarira yakabwinyiswa.
Mambo akadziumba pabani raJorodhani, pakati peSukoti neZaretani, paiva nevhu rokuumba.
Soromoni haana kuyera nhumbi dzose, nokuti dzaiva zhinji kwazvo; vakanga vasingagoni kuverenga kurema kwendarira.
Soromoni akaita nhumbi dzose dzaiva mumba maJehovha, dzaiti: Aritari yendarama, netafura yendarama paiva nezvingwa zvokuratidza;
nemwenje yendarama yakaisvonaka, mishanu kurutivi rworudyi, nemishanu kurutivi rworuboshwe, pamberi pangataura Jehovha; namaruva, nemwenje, nembato dzendarama;
nemikombe, nembato dzemwenje, nembiya, nezvirongo, nezvaenga zvomoto zvendarama yakaisvonaka; nezvibato zvamagonhi zvendarama, zvamagonhi eimba yomukati, iyo nzvimbo tsvenetsvene, nezvamagonhi eimba, iyo temberi.
Naizvozvo basa rose, rakaitwa namambo Soromoni paimba yaJehovha, rakapera. Soromoni akaisawo nhumbi dzakanga dzatsaurirwa Mwari naDhavhidhi baba vake, sirivha, nendarama, nemidziyo, akadziisa padzimba dzokuchengeta fuma dzeimba yaJehovha.
8
Zvino Soromoni wakaunganidza vakuru vaIsiraeri, navakuru vose vamarudzi, iwo machinda edzimba dzamadzibaba avana vaIsiraeri, kuna mambo Soromoni paJerusaremu, akakwidza areka yesungano yaJehovha, ibve paguta raDhavhidhi, iro Ziyoni.
Varume vose vaIsiraeri vakaungana kuna mambo Soromoni pamutambo pamwedzi weEtanimi, ndiwo mwedzi wechinomwe.
Ipapo vakuru vose vaIsiraeri vakauya, vapirisiti vakasimudza areka.
Vakakwira neareka yaJehovha netende rokusangana, nemidziyo mitsvene yose yaiva muTende, vapirisiti navaRevhi vakakwira nayo.
Mambo Soromoni, neungano yose yavaIsiraeri yakanga yaunganira kwaari, vakafamba naye pamberi peareka, vakabayira makwai nenzombe, zvakanga zvisingagoni kurahwa kana kuverengwa nokuwanda kwazvo.
Ipapo vapirisiti vakagadzika areka yesungano yaJehovha panzvimbo yayo, panzvimbo tsvene yeimba, panzvimbo tsvene-tsvene, ipo panyasi pamapapiro amakerubhi.
Nokuti makerubhi akatambanudza mapapiro awo pamusoro penzvimbo yeareka, makerubhi akafukidza areka namatanda ayo nechokumusoro.
Matanda akanga akareba; naizvozvo miromo yamatanda yakanga ichionekwa kana munhu ari panzvimbo tsvene pamberi penzvimbo pangataura Jehovha; asi akanga asingawonekwi nechokunze; achiripo kusvikira nhasi.
Mukati meareka makanga musisine chinhu, asi mahwendefa maviri amabwe, akanga aiswamo naMozisi paHorebhu, nguva Jehovha yaakaita sungano nayo navana vaIsiraeri pakubuda kwavo panyika
Zvino vapirisiti vakati vabuda panzvimbo tsvene, gore rikazadza imba yaJehovha,
naizvozvo vapirisiti vakanga vasingagoni kumira pabasa nokuda kwegore; nokuti kubwinya kwaJehovha kwakazadza imba yaJehovha. Mashoko aSoromoni nokunyengetera kwake
Ipapo Soromoni akati, Jehovha wakati, ndinoda kugara mukati merima guru.
Zvirokwazvo, ndakakuvakirai imba pamungagara, nzvimbo mamungagara nokusingaperi.
Zvino mambo akatendeudza chiso chake, akaropafadza ungano yose yaIsiraeri, ungano yose yaIsiraeri ikasimuka.
Akati, Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, iye wakataura nomuromo wake naDhavhidhi baba vangu, akazvizadzisa noruoko rwake, achiti,
Kubva pazuva randakabudisa vanhu vangu vaIsiraeri paIjipiti, handina kutsaura guta rimwe pamarudzi ose aIsiraeri, pavangandivakira imba, kuti zita rangu rigarepo; asi ndakatsaura Dhavhidhi abate vanhu vangu vaIsiraeri.
Zvino Dhavhidhi baba vangu vakanga vachida kuvakira zita raJehovha Mwari walsiraeri imba.
Asi Jehovha wakati kuna Dhavhidhi baba vangu, Wakaita zvakanaka, zvawakanga uchida kuvakira zita rangu imba.
Kunyange zvakadaro iwe haungavaki imba iyo, asi mwanakomana wako wauchabereka, ndiye uchavakira zita rangu imba.
Zvino Jehovha wasimbisa shoko rake raakataura, nokuti ini ndamuka panzvimbo yaDhavhidhi baba vangu, ndikagara pachigaro choushe chaIsiraeri, sezvakapikira Jehovha, ndikavakira zita raJehovha Mwari waIsiraeri, imba.
Imomo ndakagadzirira areka nzvimbo, imo munesungano yaJehovha, yaakaita namadzibaba edu panguva yaakavabudisa panyika yeIjipiti.
Zvino Soromoni akamira pamberi pearitari yaJehovha, pamberi peungano yose yalsiraeri, akatambanudzira maoko ake kudenga,
akati, Jehovha, Mwari waIsiraeri, hakuna mumwe Mwari wakafanana nemi kudenga kumusoro kana panyika pasi; munorangarira sungano nenyasha kuvaranda venyu, vanofamba pamberi penyu nomoyo wavo wose.
Imi makaitira muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu, sezvamakamupikira; makataura nomuromo wenyu, mukazviita noruoko rwenyu, sezvazvakaita nhasi.
Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari waIsiraeri, itirai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu sezvamakamupikira, muchiti, Haungashaiwi munhu uchagara pachigaro choushe chaIsiraeri pamberi pangu, kana vana vako vakangwarira kufamba kwavo, vakafamba pamberi pangu, sezvawakafamba iwe pamberi pangu.
Naizvozvo zvino, Mwari waIsiraeri, ndinokumbira kuti shoko renyu riitike, iro ramakataura kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu.
Ko mukati Mwari ungagara panyika here? Tarira, denga nokudenga-denga hazvingamuringani; ndoda imba ino yandakavaka!
Kunyange zvakadaro, ivai nehanya nomunyengetero womuranda wenyu, nokukumbira kwake, Jehovha Mwari wangu, munzwe kudanidzira nokunyengetera kwomuranda wenyu, kwaanonyengetera pamberi penyu nhasi;
meso enyu arambe achirindira imba ino usiku namasikati, nzvimbo iyi yamakataura pamusoro payo, muchiti, Zita rangu richagarapo; inzwai munyengetero womuranda wenyu waanozonyengetera akatarira kunzvimbo ino.
Inzwai kukumbira kwomuranda wenyu, nokwavanhu venyu vaIsiraeri, kana vachizonyengetera vakatarira kunzvimbo ino; donzwai henyu iko kudenga, kwamunogara; zvino kana mukanzwa, muvakanganwire henyu.
Kana munhu achinge atadzira waanogara naye, akapikiswa mhiko, akauya akapika pamberi pearitari yenyu muimba ino,
inzwai iko kudenga, muite, mururamisire varanda venyu, mupe wakaipa mhosva, arohwe pamusoro pomufambiro wake; asi mururamisire wakarurama, apiwe zvakafanira kururama kwake.
Kana vanhu venyu vaIsiraeri vachinge vakundwa navavengi vavo, nemhaka yokuti vakanga vakutadzirai; kana vakadzokerazve kwamuri, vakatenda zita renyu, vakanyengetera kwamuri nokukumbira muimba ino;
inzwai iko kudenga, mukanganwire zvivi zvavanhu venyu vaIsiraeri, muvadzoserezve kunyika yamakapa madzibaba avo.
Kana denga richinge razarirwa, mvura ikasanaya nemhaka yokuti vakanga vakutadzirai; kana vakanyengetera vakatarira kunzvimbo ino, vakatenda zita renyu, vakatendeuka pazvivi zvavo, nokuti munenge mavarova;
inzwai iko kudenga, mukanganwire zvivi zvavaranda venyu, nezvevanhu venyu vaIsiraeri, nokuti munovadzidzisa nzira yakanaka yavanofanira kufamba nayo; munise mvura panyika iyo yamakapa vanhu venyu kuti ive nhaka yavo.
Kana nzara ikavapo panyika, kana denda rikavapo, kana nyunje nokuvhuvha zvikavapo, nemhashu nehonye; kana vavengi vavo vakavakomba panyika ina maguta avo; kana nyatwa kana hosha ipi neipi ikavapo;
kana munhu upi noupi, kana vanhu venyu vose vaIsiraeri vakanyengetera kana kukumbira, mumwe nomumwe achiziva kutambudzika kuri pamoyo pake, akatambanudzira maoko ake kuimba ino;
inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, mukanganwire, muite, muripire mumwe nomumwe zvakafanira mufambiro wake wose, iye wamunoziva moyo wake; nokuti imi, imi moga, ndimi munoziva moyo yavana vavanhu vose;
kuti vakutyei mazuva ose oupenyu hwavo panyika yamakapa madzibaba edu.
Zvino kana ari mutorwa, asati ari wavanhu venyu vaIsiraeri, kana akabva kunyika iri kure nokuda kwezita renyu;
nokuti vachazonzwa mukurumbira wezita renyu guru, noworuoko rwenyu rune simba, noruoko rwenyu rwakatambanudzwa kana akauya akanyengetera akatarira kuimba ino;
inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, muitire mutorwa zvose sezvaanokumbira, kuti vanhu vose venyika vazive zita renyu, vakutyei, sezvinoita vanhu venyu vaIsiraeri, vazive kuti imba ino yandakavaka yakatumidzwa zita renyu.
Kana vanhu venyu vakandorwa navavengi vavo, vakaenda nenzira ipi neipi yamuchavatuma nayo, vakanyengetera kuna Jehovha vakatarira kuguta ramakatsaura, nokuimba yandakavakira zita renyu,
inzwai henyu iko kudenga kunyengetera kwavo nokukumbira kwavo, muvaruramisire.
Kana vakakutadzirai, (nokuti hakuna munhu usingatadzi), mukavatsamwira, mukavaisa mumaoko avavengi vavo, vakatapwa kunyika yavavengi vavo, kure kana pedo;
kana vakazozvifunga kunyika kwavakatapirwa, vakadzokazve, vakakumbira kwamuri panyika yavatapi vavo, vachiti, Tatadza, taita zvakaipa, taita zvisakarurama;
kana vakadzokerazve kwamuri nomoyo wavo wose, nomweya wavo wose, panyika yavavengi vavo vakavatapa; kana vakanyengetera kwamuri vakatarira kunyika yavo, yamakapa madzibaba avo, kuguta ramakatsaurirwa nokuimba yandakavakira zita renyu.
Inzwai henyu kunyengetera kwavo nokukumbira kwavo iko kudenga kwamunogara, muvaruramisire ;
mu kanganwire vanhu venyu vakakutadzirai, nokudarika kwavo kwose, kwavakadarika nako kwamuri; muvawanise tsitsi kunavakavatapa, kuti vavanzwire nyasha;
nokuti ndivo vanhu venyu, nenhaka yenyu, yamakabudisa Ijipiti pakati pevira ramatare;
meso enyu ngaawone kukumbira kwomuranda wenyu, nokukumbira kwavanhu venyu vaIsiraeri, kuti muvanzwe nguva ipi neipi yavanochema kwamuri.
Nokuti imi Jehovha, makavatsaura kundudzi dzose dzenyika, vave nhaka yenyu, sezvamakataura nomuromo waMozisi muranda wenyu, nguva yamakabudisa madzibaba edu paIjipiti.
Zvino Soromoni wakati apedza kunyengetera kuna Jehovha munyengetero uyu wose nokukumbira uku, akasimuka pamberi pearitari yaJehovha, paakanga akapfugama namabvi ake, maoko ake akatambanudzirwa kudenga.
Akamira akaropafadza ungano yose yaIsiraeri nenzwi guru, akati,
Jehovha ngaakudzwe, wakapa vanhu vake kuzorora, sezvaakatipa zvose; hapana shoko rimwe pazvose zvakanaka zvaakatipikira rakakona, izvo zvaakatipikira nomuromo waMozisi muranda wake.
Jehovha wedu ngaave nesu, sezvaaiva namadzibaba edu; ngaarege kutisiya, kana kutirasha;
kuti arerekese moyo yedu kwaari, tifambe panzira dzake dzose, tichengete mirairo yake, nezvaakatema, nezvaakatonga, izvo zvaakaraira madzibaba edu.
Zvino mashoko awa andakakumbira nawo pamberi paJehovha, ngaagare pedo naJehovha Mwari wedu masikati nousiku, aruramisire muranda wake, navanhu vake vaIsiraeri, panodikanwa napo zuva rimwe nerimwe;
kuti vanhu vose venyika vazive kuti Jehovha ndiye Mwari, hakuna mumwe.
Naizvozvo moyo yenyu ive yakarurama kwazvo kuna Jehovha Mwari wedu, mufambe pane zvaakatema, nokuchengeta mirairo yake, sezvamunoita nhasi.
Zvino mambo navalsiraeri vose pamwechete naye vakabayira zvibayiro pamberi paJehovha.
Soromoni akabayira zvipiriso zvokuyananisa, zvaakabayira Jehovha, nzombe dzine zviuru zvina makumi maviri nezviviri, namakwai ane zviuru zvine zana namakumi maviri. Naizvozvo mambo navana vaIsiraeri vose vakatsaurira Jehovha imba iyo.
Nomusi uyo mambo akatsaurawo nzvimbo yapakati yoruvazhe rwakanga ruri pamberi peimba yaJehovha, nokuti ndipo paakabayira chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu, namafuta ezvipiriso zvokuyananisa; nokuti aritari yendarira, yaiva pamberi paJehovha, yakanga iri duku kwazvo, isingagoni kuringana chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu, namafuta ezvipiriso zvokuyananisa.
Naizvozvo Soromoni akatamba mutambo nguva iyo yose, navaIsiraeri vose pamwechete naye, vakaita ungano huru, kubva pavanopinda paHamati kusvikira parukova rweIjipiti, pamberi paJehovha Mwari wedu, mazuva manomwe namazuva manomwezve ndiwo mazuva ane gumi namana.
Pazuva rorusere akaendisa vanhu, ivo vakatenda mambo, vakaenda kumatende avo nemoyo yakanga ichifara, ichifarira zvakanaka zvose zvakanga zvaitirwa Dhavhidhi muranda wake naIsiraeri vanhu vake naJehovha.
9
Zvino Soromoni wakati apedza kuvaka imba yaJehovha, neimba yamambo, nezvose Soromoni zvaakanga achida kuita,
Jehovha akazviratidza kuna Soromoni rwechipiri, sezvaakazviratidza kwaari paGibhiyoni.
Jehovha akati kwaari, Ndakanzwa kunyengetera kwako nokukumbira kwako kwawakaita pamberi pangu; ndakatsaura imba iyi yawakavaka, kuti ndiise zita rangupo nokusingaperi; meso angu nomoyo wangu zvichavapo nguva dzose.
Kana uriwe, kana ukafamba pamberi pangu sababa vako Dhavhidhi nomoyo usinganyengeri, nokururama, ukaita zvose zvandakakuraira ukachengeta zvandatema nezvandatonga,
ipapo ini ndichasimbisa chigaro chako choushe pakati paIsiraeri nokusingaperi, sezvandakapikira baba vako Dhavhidhi, ndichiti, Haungashaiwi munhu uchagara pachigaro choushe chaIsiraeri,
Asi kana mukatsauka pakunditevera, imi kana vana venyu, mukasachengeta mirairo yangu nezvandatema zvandakaisa pamberi penyu, asi mukandoshumira vamwe vamwari, mukanamata kwavari;
ipapo ndichaparadza Isiraeri panyika yandakavapa; neimba iyi yandakatsaurira zita rangu, ndichairashira kure ndirege kuiona, vaIsiraeri vachava shumo nechiseko pakati pavanhu vose;
uye imba iyi kunyange yakakwirira ikadai, vose vanopfuura nayo vachakanuka nokuridza muridzo, vachiti, Jehovha wakaitireiko kudai nenyika ino uye neimba ino?
Vachapindura, vachiti, Nokuti vakasiya Jehovha Mwari wavo, wakanga abudisa madzibaba avo munyika yeIjipiti, vakanamatira vamwe vamwari, vakanamata kwavari, nokuvashumira; saka Jehovha wakavapinza panjodzi idzi dzose. Maguta akavakwa naSoromoni
Makore ana makumi maviri akati apera, Soromoni aakavaka nawo dzimba idzi mbiri, iyo imba yaJehovha neimba yamambo;
(zvino Hiramu mambo weTire wakanga atsvakira Soromoni misidhari; nemisipiresi, nendarama, nezvose zvaakanga achida), mambo Soromoni akapa Hiramu maguta ana makumi maviri panyika yeGarire.
Hiramu akabva Tire kuzoona maguta aakanga apiwa naSoromoni, asi haana kumufadza.
Akati, Maguta kunyiko awa awandipa, hama yangu? Akatumidza nyika yeKabhuri kusvikira zuva ranhasi.
Hiramu akatumira mambo matarenda endarama ane zana namakumi maviri.
Zvino ndiro shoko rechibharo chakarairwa namambo Soromoni, kuzovaka imba yaJehovha, neimba yake, neMiro, norusvingo rweJerusaremu, neHazori, neMegidho, neGezeri.
Farao mambo weIjipiti wakanga andokunda Gezeri, akaripisa nomoto, akauraya vaKanani vakanga vagere muguta, akaripa mukunda wake, mukadzi waSoromoni.
Soromoni akavaka Gezeri, neBhe- tihoroni rezasi,
naBharati, neTamari, murenje munyika iyo,
namaguta ose amatura aSoromoni, namaguta engoro dzake, namaguta avatasvi vamabhiza ake, nezvose Soromoni zvaaida kuzvivakira paJerusaremu, napaRebhanoni, napanyika yose yakanga yakabatwa naye.
Kuvanhu vose vakanga vasara vavaAmori, navaHeti, navaPerezi, navaHivhi navaJebhusi, vakanga vasi vana vaIsiraeri;
navana vavo vakanga vasara panyika shure kwavo, ivo vana vaIsiraeri vakanga vasingagoni kuvaparadza chose kuna ivavo Soromoni wakaraira chibharo chavaranda kusvikira nhasi.
Asi Soromoni haana kuita varanda pakati pavana vaIsiraeri, asi ivo vaiva varwi vake, navabatiri vake, namachinda ake, navakuru vake, navarairi vengoro dzake, navatasvi vamabhiza ake.
Ndivo vaiva vatariri vakuru vamabasa aSoromoni, vaiva namazana mashanu namakumi mashanu, vairairira vanhu vaibata basa.
Zvino mukunda waFarao wakabva kuguta raDhavhidhi, akaenda kuimba yake, yaakanga avakirwa naSoromoni; ipapo akavaka Miro.
Katatu pagore Soromoni waibayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa pamusoro pearitari yaakanga avakira Jehovha, akapisa zvinonhuwira pamwechete nazvo paaritari yakanga iri pamberi paJehovha. Naizvozvo akapedza imba.
Mambo Soromoni wakavakawo zvikepe zvizhinji paEZiyonigebheri, pedo neEroti, pamhenderekedzo yeGungwa Dzvuku, panyika yaEdhomu.
Hiramu akatuma nezvikepe izvo varanda vake, vaiva vafambisi vezvikepe vaiziva gungwa kwazvo, pamwechete navaranda vaSoromoni.
Vakasvika Ofiri, vakatorapo ndarama yakasvika matarenda ana mazana mana namakumi maviri vakauya nayo kuna mambo Soromoni. ,
10
Zvino mambokadzi weShebha, wakati anzwa mbiri yaSoromoni pamusoro pezita raJehovha, akauya kuzomuidza nemibvunzo mikukutu.
Akasvika Jerusaremu navanhu vazhinji namakamera aitakura zvinonhuwira, nendarama zhinji-zhinji, nezvibwe zvinokosha; zvino wakati asvika kuna Soromoni, akataurirana naye pamusoro pezvose zvaiva mumoyo make.
Soromoni akapindura mibvunzo yake yose; hakuna chinhu chakanga chakavanzirwa mambo, chaakanga asingagoni kumuudza.
Zvino mambokadzi weShebha wakati aona kungwara kwose kwaSoromoni, neimba yaakanga avaka,
nezvokudya zvaiva patafura yake, nokugara kwavaranda vake, nokushumira kwavabatiri vake, nenguvo dzavo, navadiri vake, nechikwiriso chake chaaikwira nacho kuimba yaJehovha, akapera mweya.
Akati kuna mambo, Guhu randakanzwa munyika yangu ramashoko enyu nokungwara kwenyu rakanga riri razvokwadi.
Asi handina kutenda mashoko iwayo, kusvikira ndauya, ndikaona nameso angu; asi tarirai, handina kuudzwa kunyange hafu yazvo; kungwara kwenyu nezvakanaka zvenyu zvinokunda zvose zvandakanzwa.
Varume venyu vane mufaro, navaranda venyu ava vanomufaro, vanomira pamberi penyu nguva dzose vachinzwa kungwara kwenyu.
Jehovha Mwari wenyu ngaakudzwe, wakafadzwa nemi, akakugadzai pachigaro choushe chaIsiraeri; Jehovha wakada Isiraeri nokusingaperi, saka wakakuitai mambo kuti mutonge nokururamisa.
Akapa mambo matarenda ane zana namakumi maviri endarama, nezvinonhuwira zvizhinji kwazvo, nezvibwe zvinokosha; zvinonhuwira zvakawanda zvakadai, zvakapiwa mambo Soromoni namambokadzi weShebha, hazvina kuzouyiswazve.
Zvikepe zvaHiramu, zvaibva Ofiri nendarama, zvaiuyawo nemiti yemiarimugi nezvibwe zvinokosha zvaibva Ofiri.
Mambo akaita namatanda iwayo emiarimugi mbiru dzeimba yaJehovha, nedzeimba yamambo, uye mbira, nemitengeranwa zvavaimbi; miti yemiarimugi yakadai haina kumbouyiswa kana kuonekwa kusvikira nhasi.
Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvose zvaaida nezvaakakumbira; zvimwe zvaakapiwa naSoromoni zvefuma yake zvisingaverengwi. Naizvozvo akadzoka, akaenda kunyika yake, iye navaranda vake. fuma yaSoromoni nembiri yake
Zvino ndarama yakauyiswa kuna Soromoni gore rimwe nerimwe yakasvika matarenda ana mazana matanhatu namakumi matanhatu namatanhatu pakurema kwayo;
vasingaverengi iyo yaiuya navashambadziri, neyaiuya nokutenga kwavatengesi, neyaibva kumadzimambo ose endudzi dzakavhengana, nokuvabati venyika.
Mambo akaita nhovo huru dzina mazana maviri nendarama yakapambadzirwa; nhovo imwe neimwe yakanga yakaitwa namashekeri ana mazana matatu endarama;
akaitawo nhovo duku dzina mazana matatu dzendarama yakapambadzirwa, ndarama, yakasvika mapaundi matatu pakurema, yaiiswa panhovo imwe neimwe; mambo akazviisa muimba yedondo reRebhanoni.
Mambo akaitawo chigaro chikuru choushe chenyanga dzenzou, akachifukidza nendarama yakaisvonaka.
Chigaro icho choushe chaiva nezvikwiriso zvitanhatu, uye musoro wechigaro wakanga wakatenderedzwa shure kwacho; kwaiva nezvitsigiro kunhivi mbiri dzechigaro, uye shumba mbiri dzakanga dzimire kunhivi dzechitsigiro.
Kwaiva neshumba gumi nembiri dzakanga dzimire pazvikwiriso zvitanhatu, mbiri-mbiri kunhivi dzechimwe nechimwe; hakuna kumboitwa chakadai kunohumwe ushe.
Mikombe yose yokunwira nayo yamambo Soromoni yaiva yendarama, uye midziyo yose yeimba yedondo reRebhanoni yaiva yendarama yakaisvonaka; kwakanga kusine chinhu chimwe chesirivha; iyo yainzi haino murimo pamazuva aSoromoni.
Nokuti mambo waiva nezvikepe zveTarishishi pagungwa pamwechete nezvikepe zvaHiramu; zvikepe zveTarishishi zvaiuya kamwe pamakore matatu zvine ndarama, nesirivha, nenyanga dzenzou, netsoko, namatendera.
Naizvozvo mambo Soromoni wakakunda madzimambo ose enyika pakufuma nokuchenjera.
Vanhu venyika dzose vaiuya kushanyira Soromoni, kuzonzwa kungwara kwake, kwakanga kwaiswa naJehovha mumoyo make.
Mumwe nomumwe waiuya nechipo chake chemidziyo yesirivha, nemidziyo yendarama, nenguvo, nenhumbi dzokurwa nadzo, nezvinonhuhwira, namabhiza, namahesera, gore rimwe nerimwe.
Soromoni akaunganidza ngoro navatasvi vamabhiza; wakanga ane ngoro dzine chiuru chimwe namazana mana, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvine gumi nezviviri, vaakaisa kumaguta engoro, nokuna mambo paJerusaremu.
Mambo akaunganidza sirivha paJerusaremu, ikawanda ikaita samabwe, nemisidhari ikaita semivonde yaiva pamapani.
Mabhiza aSoromoni aaiva nawo aibva Ijipiti, vatengesi vamambo vaindoatorako, vachiita mapoka-mapoka, boka rimwe nerimwe rinomutengo waro.
Ngoro imwe neimwe yaibva Ijipiti, yaitengwa namashekeri esirivha ana mazana matanhatu, uye bhiza rimwe nerimwe namashekeri ane zana namakumi mashanu; saizvozvowo madzimambo ose avaHiti, namadzimambo avaSiria, aivigirwa izvozvo navo.
11
Zvino mambo Soromoni wakanga achida vakadzi vazhinji vatorwa pamwechete nomukunda waFarao, vakadzi vavaMoabhu, navaAmoni, navaEdhomu, navaZidhoni, navaHiti;
vaiva vendudzi dzakanga dzanzi naJehovha kuvana vaIsiraeri, Musaenda pakati pavo, naivo ngavarege kupinda pakati penyu; nokuti zvirokwazvo, vachatsausa moyo yenyu mukazotevera vamwari vavo; zvino Soromoni wakanamatira ivavo achivada.
Wakanga ana vakadzi vana mazana manomwe, vakunda vamadzimambo, navarongo vana mazana matatu; vakadzi vake vakatsausa moyo wake.
Nokuti Soromoni wakati akwegura, vakadzi vake vakatsausa moyo wake kuti atevere vamwe vamwari; moyo wake hauna kuzova wakarurama kwazvo kuna Jehovha Mwari wake, sezvakanga zvakaita moyo waDhavhidhi baba vake.
Nokuti Soromoni wakatevera Ashitoreti, mwarikadzi wavaZidhoni, naMirikomi mwari unonyangadza wavana vaAmoni.
Naizvozvo Soromoni wakaita zvakaipa pamberi paJehovha, haana kutevera Jehovha kwazvo, sezvakaita Dhavhidhi baba vake.
Zvino Soromoni akavakira Kemoshi, mwari unonyangadza waMoabhu, dunhu rakakwirira pagomo riri pamberi peJerusaremu; naMoreki, mwari unonyangadza wavana vaAmoni.
Saizvozvo akaitirawo vakadzi vake vose vatorwa, vaipisira vamwari vavo zvinonhuwira nokuvabayira.
Zvino Jehovha akatsamwira Soromoni, nokuti moyo wake wakatsauka kuna Jehovha Mwari walsiraeri, iye wakanga azviratidza kaviri kwaari,
akamuraira pamusoro pechinhu ichi, kuti arege kutevera vamwe vamwari; asi haana kuita zvaakanga arairwa naMwari.
Naizvozvo Jehovha akati kuna Soromoni, Zvawaita izvozvi, ukasachengeta sungano yangu nemitemo yangu, yandakakuraira, zvirokwazvo ndichabvarura ushe hwako, ndihubvise kwauri, ndihupe muranda wako.
Kunyange zvakadaro handingazviiti pamazuva ako nokuda kwaDhavhidhi baba vako; asi ndichahubvarura, ndikahubvisa paruoko rwomwanakomana wako.
Kunyange zvakadaro handingahwubvaruri ndikahubvisa hwose asi ndichapa mwanakomana wako rudzi rumwe nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu, uye nokuda kweJerusaremu, iro guta randakatsaura.
Zvino Jehovha akamutsira Soromoni Hadhadhi muEdhomu, kuti arwe naye; iye wakanga ari worudzi rwamambo paEdhomu.
Nokuti panguva iya Dhavhidhi ari paEdhomu, Joabhu mukuru wehondo wakati akwira kundoviga vakanga vaurawa, apedza kuuraya varume vose paEdhomu;
(nokuti Joabhu navaIsiraeri vose vakagarapo mwedzi mitanhatu, kusvikira vaparadza varume vose paEdhomu;)
Hadhadhi akatiza, akaenda Ijipiti, iye navamwe vaEdhomu pakati pavaranda vababa vake, iye Hadhadhi achiri mwana muduku.
Ivo vakasimuka, vakabva Midhiani, vakasvika Parani; vakatora vamwe varume veParani, vakaenda Ijipiti kuna Farao mambo weIjipiti; iye akamupa imba, akaraira kuti apiwe zvokudya, akamupawo nyika pokugara.
Hadhadhi akazofarirwa kwazvo naFarao; naizvozvo akamupa muramu wake, munununa wavahosi vake Tapenesi, ave mukadzi wake.
Munununa waTapenesi akamuberekera mwanakomana wake Genubhati, wakarumurwa naTapenesi mumba maFarao; Genubhati akagara mumba maFarao, pakati pavanakomana vaFarao.
Zvino Hadhadhi wakati achinzwa kuti Dhavhidhi wavata namadzibaba ake, uye kuti Joabhu mukuru wehondo wafa, Hadhadhi akati kuna Farao, Regai ndiende hangu kunyika yangu.
Farao akati kwaari, Washaiweiko kwandiri, zvaunoda kudzokera kunyika yako? Akapindura, akati, Handina kushaiwa chinhu; kunyange zvakadaro ndiregei henyu ndiende.
Zvino Jehovha akamumutsirazve mumwe kuzorwa naye, Rezonhi mwanakomana waEriadha, wakanga atiza kunashe wake Hadhadhezeri mambo weZobha
akaunganidzira vanhu kwaari, akava mukuru wehondo panguva Dhavhidhi yaakauraya veZobha; vakaenda Dhamasiko, vakagarapo, vakabata ushe paDhamasiko.
Iye akarwa naIsiraeri mazuva ose aSoromoni, zvimwe zvakashata zvakaitwa naHadhadhi zvisingaverengwi iye akavenga vaIsiraeri, akabata ushe paSiria.
Jerobhoamuwo, mwanakomana waNebhati, muEfuremu weZeredha, muranda waSoromoni, zita ramai vake rainzi Zerua, yaiva chirikadzi, wakamukirawo mambo.
Iye wakamukira mambo nemhaka yokuti Soromoni wakanga avaka Miro, akagadzira pakanga pakaputsika paguta raDhavhidhi baba vake.
Zvino murume uyu Jerobhoamu wakanga ari murume wesimba noumhare, Soromoni akaona kuti jaya iro raibata kwazvo, akamuita mutariri wamabasa ose eimba yaJosefa.
Zvino panguva iyo Jerobhoamu wakati achibuda Jerusaremu, muporofita Ahija muShiro akasangana naye panzira; zvino Ahija wakanga akafuka nguvo itsva; ivo vakanga vari vaviri voga kusango.
Ahija akabata nguvo itsva yaakafuka, akaibvarura akaita mapande ane gumi namaviri.
Akati kuna Jerobhoamu, Chizvitorera mapande ane gumi, nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, Tarira, ndinobvarura ushe, ndihwubvise kuna Soromoni, ndikupe marudzi ane gumi.
(Asi iye uchava norudzi rumwe nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu, uye nokuda kweJerusaremu, guta randakatsaura kumarudzi ose aIsiraeri;)
nokuti vakandirasha, vakanamata kuna Ashitoreti mwarikadzi wavaZidhoni, naKemoshi mwari wavaMoabhu, naMirikomi mwari wavana vaAmoni; havana kufamba panzira dzangu, nokuita zvakarurama pamberi pangu, nokuchengeta mitemo yangu nezvandakatonga, sezvakaita Dhavhidhi baba vake.
Kunyange zvakadaro handingabvisi ushe hwose paruoko rwake, asi ndichamuita muchinda mazuva ose oupenyu hwake nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu, wandakatsaura; nokuti wakachengeta mirairo yangu nezvandakatema.
Asi ndichabvisa umambo kumwanakomana wake, ndihupe iwe, iwo marudzi ane gumi.
Asi mwanakomana wake ndichamupa rudzi rumwe, kuti Dhavhidhi muranda wangu ave nomwenje nguva dzose pamberi pangu paJerusaremu, iro guta randakazvitsaurira, ndiise zita rangupo.
ndichakutora iwe, ugobata ushe sezvinoda moyo wako, ugova mambo waIsiraeri.
Kana ukateerera zvose zvandinokuraira, ukafamba munzira dzangu, ukaita zvakarurama pamberi pangu, ukachengeta zvandatema nemirairo yangu, sezvakaita Dhavhidhi muranda wangu, ini ndichava newe, ndichakuvakira imba yakasimba, sezvandakavakira Dhavhidhi, ndigokupa Isiraeri.
Nokuti nemhaka iyi ndichatambudza vana vaDhavhidhi, asi handingazviiti nokusingaperi.
Naizvozvo Soromoni akatsvaka kuuraya Jerobhoamu; asi Jerobhoamu wakasimuka, akatizira Ijipiti kuna Shishaki mambo weljipiti, akagarapo paIjipiti kusvikira pakufa kwaSoromoni. Kufa kwake
Zvino mamwe mashoko aSoromoni, nezvose zvaakaita, nokungwara kwake, hazvina kunyorwa here mubhuku ramabasa aSoromoni?
Zvino nguva yakabata Soromoni vaIsiraeri vose paJerusaremu aiva makore makumi mana.
Ipapo Soromoni akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake, Rehobhoamu mwanakomana wake akazomutevera pakubata ushe.
12
Zvino Rehobhoamu wakaenda Shekemu, nokuti vaIsiraeri vose vakanga vaungana paShekemu kuzomuita mambo.
Zvino Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, wakati achizvinzwa, (nokuti wakanga achiri Ijipiti kwaakanga atizira nokuda kwaSoromoni, Jerobhoamu akagara Ijipiti,
vakatuma nhume kundomudana;) Jerobhoamu neungano yose yavaIsiraeri vakasvika vakataura naRehobhoamu, vakati,
Baba venyu vakatitakudza joko rinogozha; naizvozvo zvino imi chirerutsai basa rababa venyu rakanga richigozha; nejoko ravo rinorema ravakaisa pamusoro pedu, tigokushumirai.
Iye akati kwavari, Chimboendai henyu, mugare mazuva matatu, mugodzokera kwandiri. Vanhu vakaenda.
Ipapo mambo Rehobhoamu akarangana navakuru, vaimira pamberi paSoromoni baba vake, vachiri vapenyu akati, Mungandipa zano reiko, randingapindura vanhu ava naro?
Ivo vakataura kwaari vakati, Kana mukatenda kuva muranda wavanhu ava nhasi, mukavashumira, mukavapindura nokutaura mashoko akanaka kwavari, ipapo vachava varanda venyu nokusingaperi.
Asi iye wakaramba zano ravakuru ravakanga vamupa, akarangana namajaya ezero rake, aimira pamberi pake.
Akati kwavari, Imi mungandipa zano reiko, ratingapindura naro vanhu ava vakataura neni, vachiti, Rerusai joko rakaiswa pamusoro pedu nababa venyu?
Zvino majaya ezero rake akataura kwaari achiti, Iti kuvanhu ava vakataura newe vachiti, Baba venyu vakatitakudza joko rinogozha, asi imi chitirerusirai iro, utaure kwavari uti, Munwe wangu muduku mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu.
Zvino, baba vangu zvavakakutakudzai joko rinorema, ini ndichawedzera pajoko renyu, baba vangu vaikurovai neshamhu; asi ini ndichakurovai nezvinyavada.
Naizvozvo Jerobhoamu navanhu vose vakasvika kunaRehobhoamu nomusi wetatu, sezvavakanga varairwa namambo, achiti, Dzokeraizve kwandiri nomusi wetatu.
Mambo akapindura vanhu nehasha, akarasha zano ravakuru, ravakanga vamupa;
akataura kwavari sezvaakanga apiwa zano namaj aya, akati, Baba vangu vakakutakudzai joko rinorema, asi ini ndichawedzera pajoko renyu; baba vangu vaikurovai neshamhu, asi ini ndichakurovai nezvinyavada.
Naizvozvo mambo haana kuteerera vanhu; nokuti chinhu icho chakanga chabva kuna Jehovha, kuti Jehovha asimbise shoko rake, raakataura naAhija muShiro kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati.
Zvino vaIsiraeri vose vakati vachiona kuti mambo haana kuvateerera, vanhu vakapindura mambo vakati, Tinomugove weiko kuna Dhavhidhi? Uye hatine nhaka kumwanakomana waJese; endai kumatende enyu, vaIsiraeri; iwe Dhavhidhi, chitarira hako imba yako. Naizvozvo vaIsiraeri vakaenda kumatende avo.
Asi kana vari vana vaIsiraeri, vakanga vagere mumaguta aJudha, Rehobhoamu wakanga ari mambo wavo.
Zvino mambo Rehobhoamu akatuma Adhoramu mutariri wavanhu vechibharo, vaIsiraeri vose vakamutaka namabwe, akafa. Ipapo mambo Rehobhoamu akakurumidza kukwira ngoro yake, akatizira Jerusaremu.
Saizvozvo vaIsiraeri vakamukira imba yaDhavhidhi kusvikira zuva ranhasi.
Zvino vaIsiraeri vose vakati vachinzwa kuti Jerobhoamu wadzoka, vakatuma nhume kuzomudanira kuungano, vakamuita mambo wavaIsiraeri vose; hakuna wakatevera imba yaDhavhidhi, asi rudzi rwaJudha bedzi.
Zvino Rehobhoamu wakati achisvika Jerusaremu, akaunganidza vose veimba yaJudha, novorudzi rwaBhenjamini, varume vakatsaurwa vaiva nezviuru zvine zana namakumi masere, vaigona kurwa, kuzorwa neimba yaIsiraeri, kuti vadzoserezve ushe kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni.
Asi shoko raMwari rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari richiti,
Taura naRehobhoamu mwanakomana waSoromoni, mambo wavaJudha, nokuimba yose yaJudha neyaBhenjamini, nokuna vamwe vanhu, uti,
Zvanzi naJehovha, Hamufaniri kukwira kundorwa nehama dzenyu ivo vana vaIsiraeri; mumwe nomumwe ngaadzokere kumba kwake, nokuti chinhu ichi chinobva kwandiri. Naizvozvo vakateerera shoko raJehovha, vakadzoka, vakaenda havo, sezvavakaudzwa naJehovha.
Ipapo Jerobhoamu wakavaka Shekemu panyika yamakomo yaEfuremu, akagaramo; akabvapo, akandovaka Penueri.
Jerobhoamu akati mumoyo make, Zvino ushe huchadzokerazve kuimba yaDhavhidhi.
Kana vanhu ava vakakwira kundobayira zvibayiro zvavo mumba maJehovha paJerusaremu, ipapo moyo yavanhu ava ichadzokera kunashe wavo, iye Rehobhoamu mambo waJudha; vachandiuraya, vakadzokera kuna Rehobhoamu mambo waJudha.
Naizvozvo mambo akarangana navakuru, akaumba mhuru mbiri dzendarama, akati kwavari, Kukwira Jerusaremu kwava kure; tarirai, vaIsiraeri, vamwari venyu vakakubudisai panyika yeIjipiti.
Akagadza imwe paBheteri, imwe akaiisa paDhani.
Chinhu ichi chikava chivi, nokuti vanhu vakandonamata kwadziri idzo mbiri, kusvikira paDhani.
Akavakawo dzimba pamatunhu akakwirira, akatora vamwe pakati pavanhu akavaita vapirisiti, vasati vari vavana vaRevhi.
Zvino Jerobhoamu akaraira mutambo pamwedzi worusere, nezuva regumi namashanu romwedzi, wakanga wakafanana nomutambo waiva kuvaJudha; akabayira paaritari; akaitawo saizvozvo paBheteri, akabayira mhuru dzaakaumba; akagadzawo paBheteri vapirisiti vamatunhu akakwirira aakaita.
Akandobayira paaritari yaakavaka paBheteri nezuva regumi namashanu romwedzi worusere, iwo mwedzi waakafunga hake mumoyo make; akaraira vana valsiraeri mutambo, akandobayira paaritari, akapisa zvinonhuwira.
13
Zvino tarira, mumwe munhu waMwari wakanga arairwa neshoko raJehovha, wakabva kwaJudha, akasvika Bheteri; Jerobhoamu wakanga amire paaritari achipisa zvinonhuwira.
Iye akadanidzira kuaritari, neshoko raJehovha, akati, Iwe aritari, aritari, zvanzi naJehovha, Tarirai, imba yaDhavhidhi ichaponerwa mwanakomana, uchanzi Josia; iye uchabaya pamusoro pako vapirisiti vamatunhu akakwirira, vanopisira zvinonhuwira pamusoro pako, uye vachapisa mapfupa avanhu pamusoro pako.
Akavapa chiratidzo nezuva iro, akati, Ndicho chiratidzo chakataurwa naJehovha, Tarirai, aritari ichapamuka, namadota ari pamusoro payo acharashirwa pasi.
Zvino mambo wakati achinzwa shoko romunhu waMwari, raakadanidzira kuaritari paBheteri Jerobhoamu akasimudza ruoko rwake paaritari, akatendeka narwo, akati, Mubatei! Ipapo ruoko rwake rwaakanga amutendeka narwo rwakawoma, akasagona kurudzosazve.
Aritariwo yakapamuka, namadota akarashirwa pasi paaritari, chiratidzo chakanga chapiwa nomunhu waMwari chikaitika, icho chakanga charairwa naJehovha.
Ipapo mambo akapindura, akati kumunhu waMwari, Kumbira hako kuna Jehovha Mwari wako andinzwire nyasha, undinyengeterere, kuti ndiporeserwezve ruoko rwangu. Munhu waMwari akanyengetera kuna Jehovha, mambo akaporeserwazve ruoko rwake, rukaita sakare.
Ipapo mambo akati kumunhu waMwari, Enda neni kumba kwangu, uzvisimbisepo, ini ndikupewo mubayiro.
Asi munhu waMwari wakati kuna mambo, Kunyange mukandiganhurira imba yenyu napakati, handingapindi kwamuri, kunyange kudya zvokudya, kana kunwa pano,
nokuti Jehovha wakandiraira neshoko rake, akati, Usadya zvokudya, kana kunwa mvura, kana kudzoka nenzira yawaenda nayo.
Naizvozvo akadzoka neimwe nzira, haana kudzoka nenzira yaakanga aenda nayo Bheteri. Muporofita asina kuteerera anourawa neshumba
Zvino paBheteri pakanga pagere muporofita mutana; mwanakomana wake akandomuudza mabasa ose akaitwa no munhu waMwari paBheteri pazuva iro, namashoko aakataura kuna mambo, naiwo vakaudzawo baba vavo.
Ipapo baba vavo vakati kwavari, Waenda nenzira ipiko? Zvino vana vake vakanga vaona nzira yaendwa nayo nomunhu waMwari wokwaJudha.
Akati kuvanakomana vake, Ndisungirei chigaro pambongoro; ivo vakamusungira chigaro pambongoro, akaitasva.
Akatevera munhu waMwari, akamuwana agere pasi pomuti womuoki, ndokuti kwaari, Ndiwe munhu waMwari wakabva kwaJudha here? Akati, Ndini.
Ipapo akati kwaari, Hendei kumba kwangu, undodya zvokudya.
Iye akati, Handingagoni kudzoka nemi kana kupinda kwamuri, handingadyi zvokudya, kana kunwa mvura nemi pano,
nokuti ndakarairwa neshoko raJehovha, akati, Usadya zvokudya, kana kunwa mvurapo kana kudzoka nenzira yawaenda nayo.
Ipapo akati kwaari, Neniwo ndiri muporofita sewe; zvino mutumwa wakandiudza shoko raJehovha, akati, Dzoka naye kumba kwako, adye zvokudya nokunwa mvura. Akareva nhema kwaari.
Naizvozvo akadzoka naye, akandodya zvokudya mumba make nokunwa mvura.
Zvino vakati vagere patafura, shoko raJehovha rikasvika kumuporofita wakamudzosa,
akadanidzira kumunhu waMwari, wakanga abva kwaJudha, akati, Zvanzi naJehovha, Zvausina kuteerera muromo waJehovha, ukasachengeta murayiro wawakarairwa naJehovha Mwari wako,
ukadzoka, ukadya zvokudya, ukanwa mvura ipapo paakati kwauri, Usadya zvokudya nokunwa mvura, naizvozvo chitunha chako hachingasviki muhwiro hwamadzibaba ako.
Zvino wakati adya zvokudya, nokunwa, akasungirira chigaro pambongoro, iye muporofita waakadzosa.
Zvino wakati aenda, shumba ikasangana naye munzira, ikamuuraya, chitunha chake chikakandirwa munzira, mbongoro ikamira nacho, uye shumbawo ikamira pachitunha.
Zvino wonei, vanhu vakapfuura napo, vakaona chitunha chakakandirwa munzira, uye shumba imire pachitunha; vakaenda, vakandozviudza vanhu muguta, makanga mugere muporofita mutana.
Zvino muporofita, wakamudzosa panzira, wakati achizvinzwa, akati, Ndiye munhu waMwari usina kuteerera muromo waJehovha; naizvozvo Jehovha wakamukwevera pashumba, ikamubvambura, ikamuuraya, sezvakarehwa neshoko raJehovha raakataura kwaari.
Akati kuvanakomana vake, Ndisungirirei chigaro pambongoro, vakaisungira chigaro.
Akaenda, akandowana chitunha chake chakakandirwa munzira, uye mbongoro neshumba zvimire pachitunha; shumba yakanga isina kudya chitunha kana kubvambura mbongoro.
Ipapo muporofita akasimudza chitunha chomunhu waMwari, akachiisa pamusoro pembongoro, akadzoka nacho; akasvika kuguta romuporofita mutana, akamuchema nokumuviga.
Akaisa chitunha chake muhwiro hwake, vakamuchema, achiti, Haiwa, munununa wangu!
Zvino wakati amuviga, akataura navanakomana vake, akati, Kana ndafa, mundivige muhwiro makavigwa munhu waMwari; muise mapfupa angu kurutivi rwamapfupa ake;
nokuti izvo zvaakataura, paakadanidzira achirairwa naJehovha, kuaritari paBheteri, nokudzimba dzose dzamatunhu akakwirira, ari pamaguta eSamaria, zvichaitika zvirokwazvo.
Pashure pechinhu ichi Jerobhoamu haana kutendeuka panzira yake yakaipa, asi wakatsaurazve vamwe pakati pavanhu vose, akavaita vapirisiti pamatunhu akakwirira; Ani naani waaida, waimugadza, akavaita vapirisiti pamatunhu akakwirira.
Chinhu ichi chikava chivi paimba yaJerobhoamu, kuti iparadzwe nokupedzwa panyika.
14
Zvino nenguva iyo Abhija mwanakomana waJerobhoamu akarwara.
Jerobhoamu akati kumukadzi wake, Simuka hako, ushandure nguvo dzako, kuti urege kuzikanwa kuti ndiwe mukadzi waJerobhoamu, ugoenda Shiro; tarira, muporofita Ahija uripo, iye wakadeya kutaura pamusoro pangu, kuti ndizova mambo wavanhu ava.
Uende nezvingwa zvine gumi, nezvingwa zviduku, nechidende chouchi, uzviise kwaari; iye uchakuudza zvichaitirwa mwana.
Mukadzi waJerobhoamu akaita saizvozvo, akasimuka, akaenda Shiro, akasvika paimba yaAhija. Zvino Ahija wakanga asingagoni kuona, nokuti meso ake akanga owonera madzedzerere nemhaka yokukwegura kwake.
Zvino Jehovha akati kuna Ahija, Tarira, mukadzi waJerobhoamu unouya kuzokubvunza pamusoro pomwanakomana wake, nokuti unorwara; unofanira kutaura zvokuti nezvokuti kwaari, nokuti kana achipinda, uchazviita somumwe mukadzi.
Zvino Ahija wakati achinzwa kufamba kwetsoka dzake, achipinda pamukova, akati, Chipinda hako, iwe mukadzi waJerobhoamu, unozviitireiko somumwe? Nokuti ndatumwa kwauri namashoko anorwadza moyo.
Enda, uudze Jerobhoamu, uti, Zvanzi naJehovha Mwari walsiraeri: Ndakakukudza pakati pavanhu, ndikakuita mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri,
ndikabvarura ushe, ndikahubvisa paimba yaDhavhidhi, ndikahupa iwe; asi iwe hauna kuva saDhavhidhi muranda wangu, waichengeta mirairo yangu, akanditevera nomoyo wake wose, achiita zvakanaka zvoga pameso angu;
asi iwe wakaita zvakaipa kupfuura vose vakakutangira, ukandozviitira vamwe vamwari nemifananidzo yakaumbwa, kuti unditsamwise; ukandirashira shure kwomusana wako.
Naizvozvo, tarira, ndichaitira imba yaJerobhoamu zvakaipa; ndichaparadza kuna Jerobhoamu vana vakomana vose, vaduku navakuru kuvaIsiraeri, nditsvaire chose imba yaJerobhoamu, somunhu unotsvaira marara kusvikira abva ose.
Ani naani weimba yaJerobhoamu unofira paguta uchadyiwa nembwa; unofira kusango uchadyiwa neshiri dzokudenga; nokuti Jehovha wakataura saizvozvo.
Naizvozvo iwe, simuka uende kumba kwako; kana tsoka dzako dzichipinda paguta, mwana uchafa.
Valsiraeri vose vachamuchema, vakamuviga; nokuti ndiye oga waJerobhoamu uchasvika pahwiro, nokuti maari makawanikwa chinhu chakanaka chakafadza Jehovha Mwari waIsiraeri, paimba yaJerobhoamu.
Jehovha uchazvimutsirawo mambo kuvaIsiraeri, uchaparadza imba yaJerobhoamu nomusi uyo. Nomusi uyo here? Zvotoitwa zvino.
Nokuti Jehovha ucharova Isiraeri, sorutsanga runozununguswa mumvura; uchadzura Isiraeri panyika ino yakanaka, yaakapa madzibaba avo, nokuvaparadzira mhiri kwoRwizi; nokuti vakazviitira matanda okunamata nawo vakatsamwisa Jehovha.
Uchaisa Isiraeri kuvavengi nokuda kwezvivi zvaJerobhoamu, zvaakaita iye, nezvaakatadzisa Isiraeriwo nazvo.
Zvino mukadzi waJerobhoamu akasimuka, akaenda, akasvika Tiriza; wakati achisvika pachikumbaridzo cheimba, mwana akafa.
VaIsiraeri vose vakamuviga, vakamuchema, sezvakanga zvarehwa naJehovha nomuromo womuranda wake muporofita Ahija.
Zvino mamwe mabasa aJerobhoamu, kurwa kwake, nokubata kwake ushe, tarirai zvakanyorwa mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri.
Mazuva okubata ushe kwaJerobhoamu akanga ari makore makumi maviri namaviri; akavata namadzibaba ake, Nadhabhi mwanakomana wake, akamutevera paushe.
Zvino Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni, wakabata ushe hwaJudha. Rehobhoamu wakanga ana makore makumi mana nerimwe pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe makore ane gumi namanomwe paJerusaremu, iro guta rakanga ratsaurwa naJehovha pakati pamarudzi ose alsiraeri, kuti aise zita rakepo. Zita ramai vake rakanga riri Naama muAmoni.
VaJudha vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, vakamutsa shungu dzake nezvivi zvavo zvavakanga vachiita, vakapfuura zvose zvakaitwa namadzibaba avo.
Nokuti naivo vakazvivakira matunhu akakwirira, neshongwe, namatanda okunamata nawo pazvikomo zvose zvakakwirira, napasi pemiti yose mitema.
Vasodhomi vakanga varipowo panyika; ivo vakaita nemitowo yokunyangadza kwose kwendudzi dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri.
Zvino pagore rechishanu ramambo Rehobhoamu, Shishaki mambo weIjipiti akakwira kuzorwa naJerusaremu;
akatora fuma yeimba yaJehovha, nefuma yeimba yamambo; akazvitora zvose, akatorawo nhovo duku dzose dzendarama dzakanga dzaitwa naSoromoni.
Ipapo mambo Rehobhoamu akaita panzvimbo yadzo nhovo duku dzendarira, akadziisa pamaoko avakuru vavarindi, vairinda mukova weimba yamambo.
Zvino nguva dzose kana mambo achipinda mumba maJehovha, varindi vaidzibata, ndokudzidzoserazve mumba mavarindi.
Mamwe mabasa aRehobhoamu, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha.
Asi kurwa kwaivapo nguva dzose pakati paRehobhoamu naJerobhoamu.
Rehobhoamu akavata namadzibaba ake, akavigwa kunamadzibaba ake muguta raDhavhidhi; zita ramai vake rakanga riri Naama muAmoni. Abhija mwanakomana wake akamutevera paushe.
15
Zvino negore regumi namasere ramambo Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, Abhija wakatanga kubata ushe hwaJudha.
Akabata ushe paJerusaremu makore matatu; zita ramai vake rakanga riri Maaka, mukunda waAbhusaromi.
Iye akafamba pazvivi zvose zvababa vake, zvavakamutangira kuita; moyo wake wakanga usina kururama kwazvo kuna Jehovha Mwari wake, somoyo waDhavhidhi baba vake.
Kunyange zvakadaro nokuda kwaDhavhidhi, Jehovha Mwari wake akamupa mwenje paJerusaremu, akamumutsira mwanakomana wake shure kwake, asimbise Jerusaremu;
nokuti Dhavhidk waiita zvakarurama pamberi paJehovha, haana kutsauka pachinhu chimwe chaakamuraira mazuva ose oupenyu hwake, asi pamhaka yaUriya muHiti bedzi.
Kurwa kwakanga kuripo pakati paRehobhoamu naJerobhoamu mazuva ose oupenyu hwake.
Zvino mamwe mabasa aAbhija, nezvose zvaakaita hazvina kunyorwa here mubhuku raMakoronike amadzimambo aJudha? Kurwa kwakanga kuripo pakati paAbhija naJerobhoamu.
Abhija akavata namadzibaba ake, vakamuviga muguta raDhavhidhi; Asa mwanakomana wake akamutevera paushe. Asa mambo waJudha
Negore ramakumi maviri raJerobhoamu mambo waIsiraeri, Asa wakatanga kubata ushe paJudha.
Akabata ushe paJerusaremu makore makumi mana nerimwe, zita ramai vake rakanga riri Maaka mukunda waAbhusaromi.
Asa akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakaita Dhavhidhi baba vake.
Akabvisa vaSodhomi panyika, akabvisawo zvifananidzo zvose zvakaitwa namadzibaba ake.
Akabvisawo Maaka mai vake pauhosi hwavo, nokuti vakanga vaitira matanda okunamata nawo chifananidzo chinonyangadza; Asa akaparadza chifananidzo chavo, akachipisa parukova Kidhironi.
Asi matunhu akakwirira haana kubviswa; kunyange zvakadaro moyo waAsa wakanga wakarurama kwazvo kuna Jehovha mazuva ake ose.
Akaisa mumba maJehovha nhumbi dzakanga dzatsaurwa nababa vake, nenhumbi dzaakanga atsaura iye amene, sirivha, nendarama, nemidziyo.
Zvino kurwa kwakanga kuripo pakati paAsa naBhaasha mambo waIsiraeri mazuva avo ose.
Bhaasha mambo waIsiraeri akakwira kundorwa naJudha, akavaka Rama, kuti arege kutendera munhu kubuda kana kupinda kuna Asa mambo waJudha.
Ipapo Asa akatora sirivha yose nendarama zvakanga zvasara pafuma yeimba yaJehovha, napafuma yeimba yamambo, akazvipa mumaoko avaranda vake, mambo Asa akazvitumira kuna Bhenihadhadhi mwanakomana waTabhirimoni, mwanakomana waHeZiyoni, mambo weSiria wakanga agere Dhamasiko, akati,
Sungano iripo pakati pangu nemi, pakati pababa vangu nababa venyu;tarirai ndinokutumirai chipo chesirivha nendarama, endai muputse sungano yenyu naBhaasha mambo waIsiraeri, abve kwandiri.
Bhenihadhadhi akateerera mambo Asa, akatuma vehondo dzake kundorwa namaguta aIsiraeri, akakunda Ijoni, neDhani, neAbheribhetimaaka, neKineroti rose, nenyika yose yaNafitari.
Zvino Bhaasha wakati achizvinzwa, akarega kuvaka Rama, akandogara Tiriza.
Ipapo mambo Asa akakoka vaJudha vose, hakuna wakadarikwa, vakandotora mabwe eRama, namatanda aro, zvaakanga achivaka nazvo iye Bhaasha; mambo Asa akavaka nazvo Ghebha rokwaBhenjamini neMizipa.
Zvino mamwe mabasa ose aAsa, nesimba rake rose, nezvose zvaakaita, namaguta aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzibaba aJudha? Asi panguva yokukwegura kwake wakanga achinzwa makumbo.
Asa akavata namadzibaba ake, akavigwa kunamadzibaba ake paguta raDhavhidhi baba vake; Josafati mwanakomana wake, akamutevera paushe. Nadhabhi naBhaasha madzimambo aIsiraeri
Zvino Nadhabhi mwanakomana waJerobhoamu, wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri negore rechipiri raAsa mambo waJudha, akabata ushe hwaIsiraeri makore maviri.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akafamba nenzira yababa vake, nomuzvivi zvake zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
Ipapo Bhaasha mwanakomana waAhija, weimba yaIsakari, akamumukira, Bhaasha akamuuraya paGibhetoni raiva ravaFirisitia; nokuti Nadhabhi navaIsiraeri vose vakanga vakomba Gibhetoni.
Bhaasha akamuuraya negore retatu raAsa mambo waJudha, akamutevera paushe.
Zvino wakati achangogara ushe, akauraya vose veimba yaJerobhoamu; haana kusiyira Jerobhoamu mumwe wakanga achafema, kusvikira amuparadza, sezvazvakarehwa naJehovha nomuromo womuranda wake Ahija muShiro;
nokuda kwezvivi zvaJerobhoamu, zvaakaita iye, nezvaakatadzisa Isiraeri nazvo, nokuda kwokutambudza kwaakatambudza Jehovha Mwari waIsiraeri nako.
Zvino mamwe mabasa aNadhabhi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo alsiraeri?
Kurwa kwakanga kuripo nguva dzose pakati paAsa naBhaasha mambo waIsiraeri.
Negore rechitatu raAsa mambo waJudha, Bhaasha mwanakomana waAhija, wakatanga kubata ushe hwavaIsiraeri vose paTiriza, akabata makore makumi maviri namana.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akafamba nenzira yaJerobhoamu, nomuzvivi zvake, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
16
Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jehu mwanakomana waHanani, pamusoro paBhaasha, richiti,
Ndakakukudza ndikakubvisa paguruva, ndikakuita mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri; asi wakafamba nenzira yaJerobhoamu, wakatadzisa vanhu vangu vaIsiraeri, vakamutsa shungu dzangu nezvivi zvavo.
Tarira, ndichabvisa Bhaasha neimba yake chose; ndichaita imba yako sezvandakaita imba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati.
Ani nani weimba yaBhaasha unofira muguta, uchadyiwa nembwa; ani nani unofira kusango, uchadyiwa neshiri dzokudenga.
Mamwe mabasa aBhaasha, nezvaakaita, nesimba rake, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo alsiraeri?
Bhaasha akavata namadzibaba ake, akavigwa paTiriza, Era mwanakomana wake, akamutevera paushe.
Shoko raJehovha rikauyawo nomuromo womuporofita Jehu mwanakomana waHanani, pamusoro paBhaasha, napamusoro peimba yake, nokuda kwezvakaipa zvose zvaakaita pamberi paJehovha, akamutsa shungu dzake pamusoro pamabasa amaoko ake, akanga akafanana neeimba yaJerobhoamu, uye nokuti wakanga amuparadza. Madzimambo Era, naZimiri, naOmiri
Negore ramakumi maviri namatanhatu raAsa mambo waJudha, Era mwanakomana waBhaasha, wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paTiriza, akabata makore maviri.
Ipapo muranda wake Zimiri, mukuru wehafu yengoro dzake, akamumukira, zvino iye wakanga ari paTiriza, achinwa achibatwa mumba maAriza mutariri weimba yake paTiriza.
Zimiri akapinda, akamubaya, akamuuraya negore ramakumi maviri namanomwe raAsa mambo waJudha, akamutevera paushe.
Zvino pakutanga kwake kubata ushe, achangogara pachigaro chake choushe, akauraya vose veimba yaBhaasha; haana kumusiyira mwana mumwe womukomana, kana mumwe wehama dzake, kana mumwe weshamwari dzake.
Naizvozvo Zimiri wakaparadza imba yose yaBhaasha, sezvakanga zvarehwa naJehovha, shoko iro raakataura pamusoro paBhaasha nomuporofita Jehu,
nokuda kwezvivi zvose zvaBhaasha, nezvivi zvaEra mwanakomana wake, zvavakaita, nezvavakatadzisa Isiraeri nazvo, vakamutsa shungu dzaJehovha Mwari waIsiraeri, nezvinhu zvavo zvisina maturo.
Mamwe mabasa aEra, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
Negore ramakumi maviri namanomwe raAsa mambo waJudha, Zimiri akabata ushe paTiriza mazuva manomwe. Zvino vanhu vakanga vari kumisasa, vachida kurwa navaGibhetoni raiva ravaFirisitia.
Zvino vanhu, vakanga vari kumisasa, vakanzwa, zvichinzi, Zimiri wamukira mambo akamuuraya; naizvozvo vaIsiraeri vose, vakanga vari kumisasa, vakagadza Omiri, mukuru wehondo, ave mambo waIsiraeri zuva iro.
Ipapo Omiri akabva paGibhetoni, akaenda navaIsiraeri vose kuzokomba Tiriza.
Zvino Zimiri wakati achiona kuti guta rakundwa, akapinda munhare paimba yamambo, akapisira imba yamambo pamusoro pake, akafa;
nokuda kwezvivi zvake pakuita kwake zvakaipa pamberi paJehovha, achifamba nenzira yaJerobhoamu, nomuzvivi zvake zvaakaita, achitadzisa Isiraeri nazvo.
Mamwe mabasa aZimiri, nokumukira kwake mambo, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
Zvino vanhu vaIsiraeri vakaparadzana, vakaita mapoka maviri; vamwe vakatevera Tibhini mwanakomana waGinati, vachida kumuita mambo wavo, asi vamwe vakatevera Omiri.
Asi vanhu, vakatevera Omiri, vakakunda vanhu vakatevera Tibhini mwanakomana waGinati; naizvozvo Tibhini akafa, Omiri akabata ushe.
Negore ramakumi matatu nerimwe raAsa mambo waJudha, Omiri akatanga kubata ushe hwaIsiraeri, akabata makore anegumi namaviri; akabata ushe paTiriza makore matanhatu.
Akatenga gomo reSamaria kuna Shemeri namatarenda maviri esirivha, akavaka pagomo, akatumidza zita reguta raakavaka Samaria, achitevedzera zita raShemeri, mwene wegomo.
Asi Omiri wakaita zvakaipa pamberi paJehovha, akapfuura vose vakamutangira pakuita zvakaipa.
Nokuti wakafamba nenzira yose yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, nomuzvivi zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, vakamutsa shungu dzaJehovha Mwari waIsiraeri nezvinhu zvavo zvakanga zvisina maturo.
Mamwe mabasa aOmiri, aakaita, nesimba rakaonekwa kwaari, hazvina kunyo rwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
Naizvozvo Omiri akavata namadzibaba ake, akavigwa paSamaria, Ahabhi mwanakomana wake, akamutevera paushe. Ahabhi mambo walsiraeri
Negore ramakumi matatu namasere raAsa mambo waJudha, Ahabhi mwanakomana waOmiri wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri, Ahabhi mwanakomana waOmiri akabata ushe hwaIsiraeri paSamaria makore makumi maviri namaviri.
Ahabhi mwanakomana waOmiri akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akakunda vose vakamutangira.
Chakanga chiri chinhu chiduku hacho kwaari kufamba muzvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, asi wakawana Izebheri mukunda waEtibhaari, mambo wavaZidhoni, akandoshumira Bhaari, akanamata kwaari.
Akavakira Bhaari aritari muimba yaBhaari, yaakavaka paSamaria.
Ahabhi akaitawo matanda okunamata nawo, Ahabhi akawedzera kumutsa shungu dzaJehovha Mwari waI siraeri, kupfuura madzimambo ose akamutangira.
Pamazuva ake Hieri muBheteri akavaka Jeriko; akafirwa nedangwe rake, Abhiramu, nguva yakaronga nheyo dzaro, uye akafirwa nomwanakomana wake worugotwe, Segubhi, panguva yaakamisa musuo; sezvazvakarehwa naJehovha nomuromo waJoshua mwanakomana waNuni.
17
Zvino Eria muTishibhi, waigara Giriyadhi, wakati kuna Ahabhi, NaJehovha mupenyu, Mwari waIsiraeri, iye wandimire pamberi pake, hapangavi nedova kana mvura makore ano, asi kana ndareva ini.
Zvino shoko raJehovha rikasvika kwaari, richiti,
Chibva pano, uende kurutivi rwamabvazuva, undovanda parukova Keriti, ruri pamberi paJorodhani.
Unofanira kunwa mvura yorukova, uye ndakaraira makunguvo kukupa zvokudya ipapo.
Naizvozvo akaenda, akaita sezvaakaudzwa naJehovha; wakandogara parukova Keriti ruri pamberi paJorodhani.
Makunguvo akamuvigira chingwa nenyama mangwanani, nechingwa nenyama madekwana; akanwa mvura yorukova.
Zvino nguva yakati yapfuura rukova rukapwa, nokuti mvura yakanga isinganayi panyika. Muporofita Eria anotumwa kuchirikadzi paZarefati
Zvino shoko raJehovha rikasvika kwaari, richiti,
Simuka, uende Zarefati panyika yeZidhoni, ugarepo; tarira, ndaraira chirikadzi igerepo, kuti ikupe zvokudya.
Naizvozvo akasimuka, akaenda Zarefati; wakati asvika pasuo reguta, akaona chirikadzi yakanga igerepo, ichiunganidza tutsotso; akamudana, akati, Nditorerewo mvura shomanene mumukombe, ndinwe
Zvino wakati achienda kundoitora, akamudana, akati, Dondivigirawo chimedu chechingwa muruoko rwako.
Iye akati, NaJehovha Mwari wenyu mupenyu, handina chingwa, asi tsama imwe youpfu mudende, namafuta mashomanene muchinu; tarirai, ndakanga ndichiunganidza tutsotso tuviri, ndichiti ndoenda ndizvigadzirire ini nomwanakomana wangu, tidye, tife hedu.
Ipapo Eria akati kwaari, Usatya hako, enda undoita chingwa chiduku, undivigire icho, ugozviitira iwe nomwanakomana wako pashure.
Nokuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, Upfu huri mudende haungaperi, namafuta ari muchinu haangashaikwi, kusvikira pazuva Jehovha raachanaisa naro mvura panyika.
Iye akaenda, akandoita sezvakataura Eria; iye mukadzi, naiye Eria, neimba yake, vakadya mazuva mazhinji.
Upfu hwakanga huri mudende hauna kupera, namafuta akanga ari muchinu haana kushaikwa, sezvakanga zvarehwa naJehovha nomuromo waEria.
Zvino pashure paizvozvo mwanakomana womukadzi, mwene weimba, akarwara; kurwara kwake kukanyanya kwazvo, kusvikira apererwa nomweya.
Mukadzi akati kuna Eria, Ndineiko nemi, imi munhu waMwari? Makapinda mumba mangu kuti zvivi zvangu zvirangarirwe, uye kuti mwanakomana wangu aurawe here?
Akati kwaari, Ndipe mwanakomana wako. Akamutora pachipfuva chomukadzi, akamutakurira kuimba yokumusoro, kwaaigara, akamuradzika panhovo yake,
akadanidzira kuna Jehovha, akati, Jehovha Mwari wangu, makaitireiko chirikadzi yandigere nayo chakaipa chakadai, zvamauraya mwanakomana wake?
Akatsivama pamusoro pomwana katatu, akadanidzira kuna Jehovha, akati, Jehovha Mwari wangu, ndinokumbira, mweya womwana uyu ngaudzokerezve kwaari.
Jehovha akanzwa inzwi raEria, mweya womwana ukadzokerazve kwaari, akararamazve.
Ipapo Eria akatora mwana, akaburuka naye paimba yokumusoro, akamuisa mumba, akamupa mai vake. Eria akati, Tarira, mwana wako mupenyu.
Mukadzi akati kuna Eria, Zvino ndinoziva kuti muri munhu waMwari, uye kuti shoko raJehovha, riri mumuromo menyu, nderazvokwadi.
18
Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, shoko raJehovha rikasvika kuna Eria negore rechitatu, richiti, Enda undozviratidza kuna Ahabhi; ndigotuma mvura panyika.
Ipapo Eria akandozviratidza kuna Ahabhi. Zvino nzara yakanga yanyanya kwazvo paSamaria.
Ahabhi akadana Obhadhiya, iye wakanga ari mutariri weimba yake. (Zvino Obhadhiya wakanga achitya Jehovha kwazvo;
nokuti nenguva iyo Izebheri yaakaparadza nayo navaporofita vaJehovha, Obhadhia wakatora vaporofita vane zana, akavavanza makumi mashanu namakumi mashanuzve mubako, akavapa chingwa nemvura.)
Zvino Ahabhi akati kuna Obhadhiya, Famba nenyika, kumatsime emvura, nokuhova dzose; zvimwe tingawana bundo, tiraramise mabhiza namahesera,tirege kurashikirwa nezvipfuwo zvose.
Naizvozvo vakagovana nyika, kuti vafambe nayo; Ahabhi akaenda ari oga kuno rumwe rutivi, Obhadhiya akaendawo ari oga kuno rumwe rutivi.
Zvino Obhadhiya wakati ari panzira, Eria akasangana naye; akamuziva, akawira pasi nechiso chake, akati, Ndimi here, ishe wangu Eria?
Iye akamupindura, akati, Ndini; enda unoudza ishe wako, uti, Tarirai, Eria ari pano.
Iye akati, Ndatadzeiko, zvamoda kuisa muranda wenyu mumaoko aAhabhi, andiuraye?
NaJehovha Mwari wenyu mupenyu, hapano rudzi kana ushe kwaasina kutuma iye ishe wangu kukutsvakai; kana vakati, Haapo pano, waipikisa ushe uhwo kana rudzi urwo, kuti havana kukuwanai.
Zvino moti, Enda undoudza ishe wako, uti, Eria ari pano.
Zvimwe ndichangobva kwamuri, Mweya waJehovha ndokukuisai kwandisingazivi; zvino kana ndikandoudza Ahabhi, akakushayai, uchandiuraya, asi ini muranda wenyu ndinotya Jehovha kubva pauduku hwangu.
Ishe wangu hamuna kuudzwa here zvandakaita panguva iya Izebheri yaakauraya nayo vaporofita vaJehovha kuti ndakavanza vaporofita vaJehovha, vane zana, makumi mashanu namakumi mashanu mubako, ndikavapa zvingwa nemvura?
Zvino moti, Chindoudza ishe wako, uti, Eria ari pano. Iye uchandiuraya.
Eria akati, NaJehovha wehondo mupenyu, iye wandimire pamberi pake, ndichazviratidza kwaari nhasi zvirokwazvo.
Naizvozvo Obhadhiya akaenda kuna Ahabhi, akamuudza Ahabhi akandosangana naEria.
Zvino Ahabhi wakati achiona Eria, Ahabhi akati kwaari, Ndiwe here, iwe mutambudzi waIsiraeri?
Iye akati, Ini handina kutambudza Isiraeri; asi ndiwe neimba yababa vako, nokuti makasiya mirairo yaJehovha, mukatevera vaBhaari.
Naizvozvo zvino chituma vanhu uunganidze vaIsiraeri vose pagomo reKarimeri, navaporofita vaBhaari vana mazana mana vanodya patafura yaIzebheri,
Naizvozvo Ahabhi akatuma vanhu kuvana vaIsiraeri vose, akaunganidza vaporofita pagomo reKarimeri.
Zvino Eria akaswedera kuvanhu vose, akati, Mucharamba muchifunga mifungo miviri kusvikira rinhiko? Kana Jehovha ari Mwari, mumutevere, kana ari Bhaari, mumutevere iye. Asi vanhu havana kupindura shoko rimwe.
Ipapo Eria akati kuvanhu, Ini, iyeni ndoga, ndini ndasara kuvaporofita vaJehovha, asi vaporofita vaBhaari vanosvika varume vana mazana mana namakumi mashanu.
Naizvozvo ngavatipe nzombe mbiri, ivo vazvitsaurire nzombe imwe, vaiguranye, vaiise pamusoro pehuni, asi varege kuisa moto pasi payo; neniwo ndichagadzira imwe nzombe, ndichiisa pamusoro pehuni, asi ndisingaisi moto pasi payo.
Zvino imi mudane zita ramwari wenyu, ini ndidanewo zita raJehovha, Mwari unopindura nomoto, iye ngaave Mwari. Vanhu vose vakapindura, vakati, Zvarehwa zvakanaka.
Ipapo Eria akati kuvaporofita vaBhaari, Chizvitsaurirai nzombe imwe, mutange kuigadzira, nokuti muri vazhinji; mudane zita ramwari wenyu, asi murege kuisa moto pasi payo.
Ivo vakatora nzombe yavakanga vapiwa, vakaigadzira, vakadana zita raBhaari kubva mangwanani kusvikira masikati makuru, vachiti, Bhaari, tinzwei! Asi kwakanga kusine inzwi kana unopindura. Vakapoteredza aritari yakanga yavakwa vachipembera.
Zvino panguva yamasikati makuru Eria akavaseka, akati, Danidzirai kwazvo; nokuti mwari, zvimwe ari pakufunga, zvimwe waenda kumwe, zvimwe wafamba rwendo, kana zvimwe uvete hake, anofanira kumutswa.
Ipapo vakadanidzira kwazvo, vakazvicheka netsika dzavo neminondo namapfumo, kusvikira ropa richidzutuka kwavari.
Masikati makuru akati apfuura, vakaporofita kusvikira panguva yokubayira chipo chamadekwana; asi kwakanga kusina inzwi kana unopindura, kana wakanga achiteerera.
Ipapo Eria akati kuvanhu vose, Swederai kwandiri, vanhu vose vakaswedera kwaari. Zvino wakagadzira aritari yaJehovha yakanga yaputswa.
Eria akatora mabwe ane gumi namaviri akaenzana namarudzi avana vaJakobho iye wakanga audzwa naJehovha zvichinzi, Zita rako richanzi Isiraeri.
Akavaka aritari namabwe iwayo nezita raJehovha, akachera goronga rakakomba aritari rakanga rakaenzana napangadzvarwa zviyero zviviri zvezviyo.
Akaronga huni, akaguranya nzombe, akaiisa pamusoro pehuni, akati, Chizadzai zvirongo zvina nemvura, muidire pamusoro pechipiriso chinopiswa, napamusoro pehuni.
Akati, Itai izvozvo rwechipiri, vakazviita rwechipiri. Akati, Itai izvozvo rwechitatu; vakazviita rwechitatu.
Mvura ikayerera, ikapoteredza aritari; akazadza negorongawo nemvura.
Nenguva yokubayira chipo chamadekwana, muporofita Eria akaswedera, akati, Imi Jehovha, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaIsiraeri, uye kuti ini ndiri muranda wenyu, uye kuti ndakaita izvi zvose ndarairwa nemi.
Ndinzwei Jehovha, ndinzwei, kuti vanhu ava vazive kuti imi Jehovha ndimi Mwari, uye kuti ndimi makadzosazve moyo yavo.
Ipapo moto waJehovha wakaburuka, ukapedza chipiriso chinopiswa, nehuni, namabwe, neguruva, ukananzva mvura yakanga iri mugoronga.
Vanhu vose vakati vachizviona, vakawira pasi nezviso zvavo, vakati, Jehovha ndiye Mwari, Jehovha ndiye Mwari!
Eria akati kwavari, Batai vaporofita vaBhaari, varege kupukunyuka kunyange nomumwe wavo. Vakavabata. Eria akaburuka navo kurukova Kishoni, akavaurayirapo.
Eria akati kuna Ahabhi, Chirongedzai, mudye, munwe, nokuti kuno kuunga kwemvura zhinji.
Naizvozvo Ahabhi akarongedza kundodya nokunwa. Eria akakwira pamusoro pegomo reKarimeri, akagwadamira pasi, akaisa chiso chake pakati pamabvi ake;
akati kumuranda wake, Chikwira zvino, utarire kurutivi rwegungwa. Akakwira akatarira, akati, Hakuna chinhu. Akati, Endazve, kanomwe.
Zvino panguva yechinomwe akati, Tarirai, kune gore duku, rinokwira richibva mugungwa, rakafanana nechanza chomunhu. Akati, Enda, undoti kuna Ahabhi, Sungai ngoro yenyu, muburuke, kuti murege kudzivirirwa nemvura.
Zvino nguva duku yakati yapfuura, denga rikasviba namakore nemhepo, mvura zhinji ikanaya Ahabhi akaenda nengoro, akasvika Jezereeri.
Ruoko rwaJehovha rukasimbisa Eria; akazvisunga chivuno chake, akamhanya pamberi paAhabhi kusvikira pasuo reJezereeri.
19
Zvino Ahabhi wakaudza Izebheri zvose zvakanga zvaitwa naEria, zvokuuraya kwake vaporofita vose nomunondo.
Ipapo Izebheri akatuma nhume kuna Eria, akati, Vamwari ngavandirove, ngavarambe vachidaro, kana ini ndikasafananidza upenyu hwako noupenyu hwomumwe wavo mangwana nenguva ino.
Zvino wakati achiona izvozvo, akasimuka, akatiza, kuti arege kuurawa, akasvika paBheerishebha raiva raJudha, akasiya muranda wake ipapo.
Asi iye wakafamba rwendo rwezuva rimwe kurenje, akandogara pasi pomurara, akakumbira kuti afe hake; akati, Zvaringana hazvo; zvino Jehovha, chitorai henyu upenyu hwangu, nokuti handipfuuri madzibaba angu pakururama.
Akavata pasi, akavata hope pasi pomurara. Zvino mutumwa akamugunzva, akati kwaari, Simuka, udye.
Akatarira, akaona pedo nomusoro wake chingwa chiduku chakanga chagochwa pamazimbe, nechirongo chemvura. Akadya, akanwa, akavata pasizve.
Mutumwa waJehovha akasvikazve rwechipiri, akamugunzva, akati, Simuka, udye, nokuti uchakundwa norwendo.
Akasimuka, akadya, akanwa, akafamba asimbiswa nezvokudya izvo, mazuva makumi mana nousiku huna makumi mana kusvikira paHorebhu, pagomo raMwari.
Akapindapo mubako, akagarapo. Zvino shoko raJehovha rikasvika kwaari, rikati, Unobateiko pano Eria?
Iye akati, Ndakanga ndichishingairira Jehovha Mwari wehondo kwazvo, nokuti vana valsiraeri vakarasha sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, nokuuraya vaporofita venyu nomunondo; ini ndoga, ndasara hangu; zvino votsvaka kundiuraya.
Iye akati, Enda, undomira pagomo pamberi paJehovha. Zvino Jehovha akapfuurapo, mhepo huru ine simba ikapamura makomo, ikaputsanya mabwe pamberi paJehovha; asi Jehovha wakanga asiri mumhepo. Mhepo yakati yapfuura, kudengenyeka kwenyika kukavapo; asi Jehovha wakanga asiri mukudengenyeka kwenyika.
Kudengenyeka kwenyika kwakati kwapfuura, moto ukatevera; asi Jehovha wakanga asiri mumoto; moto wakati wapfuura, kufefetera kwokudzikama kukavapo.
Zvino Eria wakati achizvinzwa, akafukidza chiso chake nenguvo yake, akabuda, akandomira pamuromo webako. Ipapo inzwi rikasvika kwaari, rikati, Unobateiko pano, Eria?
Iye akati, Ndakanga ndichishingairira Jehovha Mwari wehondo kwazvo; nokuti vana vaIsiraeri vakarasha sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, vakauraya vaporofita venyu nomunondo; ini, ini ndoga, ndasara hangu; zvino votsvaka kundiuraya.
Zvino Jehovha akati kwaari, Dzoka nenzira yako yokurenje reDhamasiko; kana wasvikapo, uzodze Hazaeri, ave mambo weSiria,
naJehu mwanakomana waNimishi umuzodze ave mambo waIsiraeri, naErisha mwanakomana waShafati weAbherimehora, umuzodze ave muporofita panzvimbo yako.
Nokuti unopukunyuka pamunondo waHazaeri, uchaurawa naJehu; unopukunyuka pamunondo waJehu, uchaurawa naErisha.
Kunyange zvakadaro ndichasiya pakati paIsiraeri zviuru zvinomwe zvavanhu vasina kupfugamira Bhaari namabvi avo, vasina kumutsvoda nemiromo yavo.
Naizvozvo akabvapo, akandowana Erisha mwanakomana waShafati, wakanga achirima nenzombe dzakasungwa pamajoko ane gumi namaviri, iye ari pajoko regumi namaviri; Eria akapfuura nokwaari, akakanda nguvo yake pamusoro pake.
Iye akasiya nzombe, akamhanya achitevera Eria, akati, Nditenderei henyu ndimbondotsvoda baba vangu namai vangu, ndigokuteverai. Iye akati kwaari, Chidzoka hako, nokuti ndakuiteiko?
Akadzoka pakumutevera, akatora nzombe dzejoko iro, akadzibaya, akagocha nyama yadzo achiita nhumbi dzadzo huni, ndokupa vanhu, ivo vakadya. Zvino wakasimuka, akatevera Eria, akamubatira.
20
Zvino Bhenihadhadhi, mambo weSiria, wakakoka hondo dzake dzose; iye waiva namadzimambo ana makumi matatu ana maviri, namabhiza, nengoro pamwechete naye; akaenda, akakomba Samaria, akarwa naro.
Akatuma nhume kuna Ahabhi, mambo waIsiraeri, mukati meguta, akati kwaari, Zvanzi naBhenihadhadhi
Sirivha yako nendarama yako ndezvangu, navakadzi vako navana vako vakanaka ndavangu.
Mambo waIsiraeri akapindura, akati, Ndizvo hazvo zvamareva, ishe wangu mambo; ndiri wenyu, nezvose zvandinazvo.
Nhume dzikadzoka, dzikati, Zvanzi naBhenihadhadhi, Ndakatuma shoko kwauri, ndikati, Unofanira kundipa sirivha yako nendarama yako, navakadzi vako navana vako;
asi ndichatuma varanda vangu kwauri mangwana nenguva ino; ivo vachanzvera imba yako, nedzimba dzavaranda vako; zvino, zvose zvinofadza meso ako vachazvitora namaoko avo, ndokuenda nazvo.
Ipapo mambo waIsiraeri wakadana vakuru vose venyika, akati, Cherekedzai, muvone, kuti munhu uyu unotsvaka kutiitira zvakaipa; nokuti wakatuma shoko kwandiri, achiti uchatora vakadzi vangu navana vangu, nesirivha yangu nendarama yangu, ndikasamurambira chinhu.
Ipapo vakuru vose navanhu vose vakati kwaari, Regai kumuteerera, kana kumutenda.
Naizvozvo akati kunhume dzaBhenihadhadhi, Udzai ishe wangu mambo, muti, Zvose zvakazivisa muranda wenyu pakutanga, ndichazviita; asi chinhu ichi handingagoni kuchiita. Nhume dzikaenda, dzikadzokera kwaari nemhinduro.
Ipapo Bhenihadhadhi akatuma shoko kwaari akati, Vamwari ngavandirove, varambe vachidaro, kana guruva reSamaria rikagona kuringana kuti vanhu vose vanonditevera vatsamure tsama namaoko avo.
Mambo waIsiraeri akapindura, akati, Muudzei muti, Unoshonga nhumbi dzake dzokurwa ngaarege kuzvirumbidza saiye wodzibvisa.
Zvino iye wakati achinzwa shoko iro ari pakunwa, iye namadzimambo, pamisasa, akati kuvaranda vake, Rongedzai! Ivo vakarongedza kundorwa neguta.
Zvino mumwe muporofita akaswedera kuna Ahabhi mambo waIsiraeri, akati, Zvanzi naJehovha, Waona vanhu ava vazhinji here? Tarira, ndichavapa mumaoko ako nhasi, ugoziva kuti ndini Jehovha.
Ahabhi akati, Naniko? Iye akati, Zvanzi naJehovha, Namajaya amachinda amativi enyika. Iye akati, Ndianiko unofanira kuvamba kurwa? Akapindura akati, Iwe!
Ipapo akaverenga majaya amachinda amativi enyika, vakasvika mazana maviri namakumi matatu namaviri; zvino akaverenga vanhu vose, ivo vana vaIsiraeri vose, vakasvika zviuru zvinomwe.
Vakasimuka masikati makuru. Zvino Bhenihadhadhi wakanga ari pakunwa pamisasa, akabatwa, iye namadzimambo, iwo madzimambo makumi matatu namaviri akanga achimubatsira.
Zvino majaya amachinda amativi enyika akatanga kutungamira Bhenihadhadhi akatuma nhume, vakamuudza, vachiti, Kuna varume vanobuda Samaria.
Iye akati, Kunyange vabuda vachitsvaka rugare, muvabate vari vapenyu, kunyange vabuda vachitsvaka kurwa, muvabate vari vapenyu.
Naizvozvo vakabuda muguta, iwo majaya amachinda amativi enyika nehondo yakavatevera.
Mumwe nomumwe akauraya munhu wake, vaSiria vakatiza, vaIsiraeri vakavateverera; naBhenihadhadhi mambo weSiria akatiza, akatasva bhiza ana vamwe vakanga vakatasva mabhiza.
Ipapo mambo waIsiraeri akabuda, akaparadza mabhiza nengoro, akauraya vaSiria vazhinji-zhinji.
Zvino muporofita akaswedera kuna mambo waIsiraeri, akati kwaari, Enda undozvisimbisa, uchenjere, ufunge zvakanaka zvaunofanira kuita; nokuti kana gore rapera mambo weSiria uchauya kuzorwa newe.
Zvino varanda vamambo weSiria vakati kwaari, Mwari wavo ndimwari wamakomo, nemhaka iyo vakatikunda; asi ngatirwe navo pabani, ipapo zvirokwazvo tichavakunda.
Naizvozvo itai chinhu ichi, Mubvise madzimambo, mumwe nomumwe panzvimbo yake, mugoisa vatariri vehondo panzvimbo yavo;
mugozviunganidzira hondo yakafanana nehondo yamakarashikirwa nayo, bhiza panzvimbo yebhiza, nengoro panzvimbo yengoro, tirwe navo pabani; zvirokwazvo tichavakunda. Iye akateerera inzwi ravo, akaita saizvozvo.
Pakupera kwegore Bhenihadhadhi akaunganidza vaSiria, akaenda Afeki kundorwa navaIsiraeri.
Vana vaIsiraeri vakaunganidzwawo, vakapiwa mbuva, vakandorwa navo; vana vaIsiraeri vakadzika matende avo pakatarisana navo, vakafanana namapoka maduku maviri embudzi, asi vaSiria vakanga vakazadza nyika.
Zvino munhu waMwari akaswedera, akataura kuna mambo waIsiraeri, akati, Zvanzi naJehovha, VaSiria zvavakati, Jehovha ndimwari wamakomo, asi haazi mwari wamapani, naizvozvo ndichapa vanhu avo vose mumaoko ako, vazive kuti ini ndiri Jehovha.
Zvino vakagara pamisasa vakatarisana mazuva manomwe. Nomusi wechinomwe vakasangana vakarwa, vana vaIsiraeri vakauraya vaSiria vaifamba namakumbo vane zviuru zvine zana nomusi mumwe.
Asi vamwe vakatizira muguta reAfeki, rusvingo ndokuwira pamusoro pavarume vane zviuru zvina makumi maviri nezvinomwe vakanga vasara. NaBhenihadhadhi akatizawo, akasvika muguta, akapinda mukamuri yomukati.
Ipapo varanda vake vakati kwaari, Tarirai zvino, takanzwa kuti madzimambo eimba yaIsiraeri madzimambo ane nyasha; zvino ngatisunge magumbu pazviuno zvedu namakavi pamisoro yedu, tibudire kuna mambo waIsiraeri; zvimwe uchakuregai muri vapenyu.
Naizvozvo vakasunga magumbu pazviuno zvavo, namakavi pamisoro yavo, vakaenda kuna mambo waIsiraeri, vakati, Zvanzi nomuranda wenyu Bhenihadhadhi, Ndinokumbira kuti murege kundiuraya henyu. Akati, Uchiri mupenyu here? Iye ihama yangu.
Zvino varume avo vakacherekedza kwazvo, vakakurumidza kugamuchira shoko iro kwaari, vakati, Hoyo, Bhenihadhadhi hama yenyu. Ipapo iye akati, Endai, mumutore. Bhenihadhadhi akabudira kwaari, akamukwidza pangoro.
Zvino Bhenihadhadhi akati kwaari, Ndichadzosa maguta akatorerwa baba vako nababa vangu; ungazviitira migwagwa muDhamasiko, sezvakaita baba vangu paSamaria. Ahabhi akati, Ini ndichakutendera kuenda nokuda kwesungano iyi. Naizvozvo akaita sungano naye, akamutendera kuenda.
Zvino mumwe murume wavana vavapomfita akati kushamwari yake arairwa naJehovha, Ndirove hako. Murume akaramba kumurova.
Ipapo akati kwaari, Zvausina kuteerera inzwi raJehovha, tarira, uchaurawa neshumba kana uchangobva kwandiri. Zvino wakati achangobva kwaari, shumba ikamuwana, ikamuuraya.
Zvino akawanazve mumwe murume, akati, Ndirove hako. Murume uyo akamurova, akamukuvadza kwazvo.
Naizvozvo muporofita akabva, akandomirira mambo panzira, akazvishandura nomucheka waakanga asunga kumeso kwake.
Zvino mambo wakati achipfuura, akadanidzira kuna mambo, akati, Muranda wenyu wakanga apinda pakati pokurwa, ndikaona munhu achitsauka, akauya kwandiri nomumwe murume, akati, Rinda munhu uyu; kana akatongoshaikwa, upenyu hwake huchatsihwa noupenyu hwako; kana izvo zvikakona, uchafanira kuripa netarenda resirivha.
Zvino muranda wenyu wakati achibatabata hake pano napapo, iye akanyangarika. Mambo waIsiraeri akati kwaari, Ndizvo zvauchatongerwa, wazvitonga umene.
Akakurumidza kubvisa mucheka kumeso kwake, mambo walsiraeri akamuziva kuti ndomumwe wavaporofita.
Iye akati kwaari, Zvanzi naJehovha, Zvawatendera munhu kupukunyuka pamaoko ako, iye wakanga atukwa neni kuti aparadzwe, naizvozvo upenyu hwake hwuchatsihwa noupenyu hwako, uye vanhu vake vachatsihwa navanhu vako.
Mambo waIsiraeri akaenda kumba kwake awora moyo ane shungu, ndokusvika paSamaria.
21
Zvino shure kwaizvozvo Nabhoti muJezereeri wakanga anomunda wemizambiringa, waiva paJezereeri pedo neimba youshe yaAhabhi mambo weSamaria.
Zvino Ahabhi akataura naNabhoti, akati, Ndipe munda wako wemizambiringa, ndiuite munda wemiriwo, nokuti uri pedo neimba yangu; ini ndigokupa mumwe munda wemizambiringa unokunda uyu; zvimwe, kana uchida, ndingakupa mari yakaringana mutengo wawo.
Ipapo Nabhoti akati kuna Ahabhi, Jehovha ngaandidzivise, ndirege kukupai nhaka yamadzibaba angu.
ipapo Ahabhi akapinda mumba make, avora moyo, ane shungu, nokuda kweshoko raakanga audzwa naNabhoti muJezereeri, nokuti iye wakanga ati, Handingakupiyi nhaka yamadzibaba angu. Akavata panhovo yake, akatendeudza chiso chake, akaramba kudya.
Zvino Izebheri mukadzi wake akaenda kwaari, akati, moyo wenyu une shungu neiko, zvamusingadi kudya?
Iye akati kwaari, Nokuti ndakataura naNabhoti muJezereeri, ndikati kwaari, Ndipe munda wako wemizambiringa, ndiutenge nemari; asi kana uchida hako, ndichakupa mumwe munda wemizambiringa panzvimbo yawo, iye akapindura, akati, Handingakupiyi munda wangu wemizambiringa.
Zvino Izebheri makadzi wake akati kwaari, Ko hamuzimi munobata ushe pakati paIsiraeri here? Mukai, mudye, moyo wenyu ufare, nokuti ini ndichakupai munda wemizambiringa waNabhoti muJezereeri.
Naizvozvo akanyora mwadhi nezita raAhabhi, akadzisimbisa nechisimbiso chake, akatuma mwadhi idzo kuvakuru, nokumachinda, vaiva muguta rake, vakanga vagere naNabhoti.
Akanyora pamwadhi idzo, achiti, Tarirai musi wokuzvinyima zvokudya nawo, mukudze Nabhoti pakati pavanhu.
Mugoraira vanhu vaviri vakaisvoipa vamire pamberi pake, vamupupurire, vachiti, Iwe wakatuka Mwari namambo. Ipapo muende naye kunze kweguta, mumutake namabwe, afe.
Ipapo varume veguta rake, ivo vakuru namachinda, vakanga vagere muguta rake, vakaita sezvakarairwa naIzebheri, sezvakanyorwa pamwadhi dzavakanga vatumirwa naye.
Vakatara zuva rokuzvinyima zvokudya, vakakudza Nabhoti pakati pavanhu.
Zvino varume vaviri vakaisvoipa vakapinda, vakandogara pamberi pake; varume ava vakaisvoipa vakamupupurira, iye Nabhoti, pamberi pavanhu, vakati, Nabhoti wakatuka Mwari namambo. Zvino vakabuda naye paguta, vakamutaka namabwe, akafa.
Ipapo vakatuma shoko kuna Izebheri, vakati, Nabhoti watakwa namabwe, wafa.
Zvino Izebheri wakati achinzwa kuti Nabhoti watakwa namabwe, wafa, Izebheri akati kunaAhabhi, Simukai, mundozvitorera munda wemizambiringa waNabhoti muJezereeri, uyo waakadeya kuramba kukupai, nguva yamakada kumupa mari, nokuti Nabhoti haachiri mupenyu, asi wafa.
Zvino Ahabhi wakati achinzwa kuti Nabhoti wafa, akasimuka, akaburuka kumunda wemizambiringa waNabhoti muJezereeri, kundozvitorera iwo.
Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Eria muTishibhi, richiti,
Simuka, buruka undosangana naAhabhi mambo waIsiraeri, unogara Samaria; uchamuwana ari mumunda wemizambiringa waNabhoti, kwaaburukira kundozvitorera iwo.
Umuudze, uti, Zvanzi naJehovha, Wauraya, zvino watorawo here? Zvino umuudzewo, uti, Zvanzi naJehovha, Apo pakananzva imbwa ropa raNabhoti, ndipo padzichananzva ropa rakowo.
Ahabhi akati kuna Eria, Wandiwana, iwe muvengi wangu here? Akapindura, akati, Ndakuwana; nokuti wazvitengesa kuti uite zvakaipa pamberi paJehovha.
Tarira, ndichauyisa zvakaipa pamusoro pako, ndichakutsvaira chose, ubve, ndichaparadza vanakomana vose vaAhabhi, vaduku navakuru kuvaIsiraeri.
Imba yako ndichaiita seimba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, neimba yaBhaasha mwanakomana waAhija, nemhaka yokuti wakanditsamwisa iwe, ukatadzisa Isiraeri.
Uye Jehovha akataura pamusoro paIzebheri, akati, Imbwa dzichadya Izebheri parusvingo rweJezereeri.
Ani naani waAhabhi, unofira muguta, uchadyiwa nembwa, Ani naani, unofira kusango, uchadyiwa neshiri dzekudenga.
(Asi hakuna munhu wakafanana naAhabhi, wakazvitengesa kuti aite zvakaipa pamberi paJehovha, achikurudzirwa naIzebheri mukadzi wake.
Akaita zvakanyangadza kwazvo, nokuti wakatevera zvifananidzo netsika dzose dzavaAmori, ivo vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri).
Zvino Ahabhi wakati achinzwa mashoko iwayo, akabvarura nguvo dzake, akasimira magumbu pamuviri wake, akazvinyima zvokudya, akavata pasi namagumbu, akanatsofamba.
Zvino shoko raJehovha rikasvika kuna Eria muTishibhi, richiti,
Unoona here kuti Ahabhi unozvininipisa pamberi pangu? Zvaanozvininipisa pamberi pangu, handingauyisi zvakaipa izvo pamazuva ake; asi pamazuva omwanakomana wake ndichauyisa zvakaipa izvo pamusoro peimba yake.
22
Zvino vakagara makore matatu kusino kurwa pakati pavaSiria navaIsiraeri.
Zvino negore rechitatu Jehoshafati mambo waJudha wakaburukira kuna mambo waIsiraeri.
Ipapo mambo waIsiraeri akati kuvaranda vake, Munoziva here kuti RamotiGiriyadhi nderedu? Asi isu tigere hedu tinyerere, tisingaritori kuna mambo weSiria.
Akati kuna Jehoshafati, Uchaenda neni kundorwa neRamotiGiriyadhi here? Jehoshafati akati kuna mambo waIsiraeri, Ini ndakaita sewe, navanhu vangu savanhu vako, namabhiza angu samabhiza ako.
Jehoshafati akati kuna mambo waIsiraeri, Dombobvunza hako shoko raJehovha nhasi.
Zvino mambo waIsiraeri akaunganidza vaporofita, vanenge varume vaiva namazana mana, akati kwavari, Ndiende kundorwa neRamotiGiriyadhi here, kana ndirege? Ivo vakati, Endai, nokuti Ishe uchariisa mumaoko amambo.
Asi Jehoshafati akati, Hakuchina mumwe muporofita waJehovha pano here, timubvunze?
Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, Mumwe murume uchiriko, Mikaya mwanakomana waImira, watingabvunza kuda kwaJehovha naye, asi ini ndinomuvenga, nokuti haaporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa. Jehoshafati akati, Mambo ngaarege kudaro.
Zvino mambo waIsiraeri akadana muranda, akati, Kurumidza undotora Mikaya mwanakomana waImira.
Zvino mambo waIsiraeri naJehoshafati mambo waJudha vakanga vagere mumwe nomumwe pachigaro chake choushe, vakafuka nguvo dzavo dzoushe padare pasuo reSamaria; vaporofita vose vakaporofita pamberi pavo.
Zedhekia mwanakomana waKenaani akazviitira nyanga dzamatare, akati, Zvanzi naJehovha, Nedzidzi muchatunga vaSiria, kusvikira vapera.
Navamwe vaporofita vose vakaporofita saizvozvo, vakati, Endai Ramotigiteadhi, muchakunda, nokuti Jehovha uchariisa muruoko rwamambo.
Zvino nhume yakanga yandodana Mikaya yakataura kwaari, ikati, Tarirai, mashoko avaporofita anobvumirana achitaura zvakanaka kuna mambo; zvino ndinokumbira kuti shoko renyu rive seshoko romumwe wavo, mutaurewo zvakanaka.
Ipapo Mikaya akati, NaJehovha mupenyu, izvo zvinorehwa naJehovha kwandiri, ndizvo zvandichataura.
Zvino wakati achisvika kuna mambo, mambo akati kwaari, Mikaya, tiende kundorwa neRamotiGiriyadhi here, kana tirege? Akapindura, akati, Endai henyu, muchakunda, nokuti Jehovha uchariisa muruoko rwamambo.
Mambo akati kwaari, Ndinofanira kukupikisa kangani kuti undiudze zvokwadi yoga nezita raJehovha?
Iye akati, Ndaona vaIsiraeri vose vakapararira pamakomo samakwai asina mufudzi, Jehovha akati, Ava havana tenzi, mumwe nomumwe ngaadzokere kumusha kwake norugare.
Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, Handina kukuudza here? Kuti haangaporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa?
Mikaya akati, Zvino chinzwai shoko raJehovha, Ndakaona Jehovha agere pachigaro chake choushe, nehondo dzose dzokudenga dzimire naye kurudyi rwake nokuruboshwe rwake.
Ipapo Jehovha akati, Ndianiko uchandonyengera Ahabhi, aende, andourawa paRamotiGiriyadhi? Zvino mumwe akati zvokuti, nomumwezve akati zvokuti.
Zvino mweya ukabuda, ukamira pamberi paJehovha, ukati, Ini ndichandomunyengera.
Jehovha akati kwauri, Neiko? Iwo ukati, Ndichaenda, ndichava mweya wenhema mumiromo yavaporofita vake vose. Iye akati, Iwe ndiwe uchamunyengera, uchakundawo; enda hako, undoita saizvozvo.
Naizvozvo zvino, tarirai Jehovha wakaisa mweya wenhema mumiromo yavaporofita venyu ava vose, asi Jehovha wakataura zvakaipa pamusoro penyu.
Ipapo Zedhekia mwanakomana waKenaani akaswedera, akarova Mikaya padama rake, akati, Mweya waJehovha wakaenda nepiko uchibva kwandiri kundotaura newe?
Mikaya akati, Uchazviona musi uyo wauchandovanda mukamuri yomukati.
Ipapo mambo waIsiraeri akati, Batai Mikaya, mumuise kuna Amoni mubati weguta, nokuna Joashi mwanakomana wamambo,
muti, Zvanzi namambo, pinzai munhu uyu mutorongo, mumupe zvokudya zvokutambudzika, nemvura yokutambudzika, kusvikira ndichidzoka norugare.
Ipapo Mikaya akati, Kana mukadzoka norugare, Jehovha haana kutaura neni. Akati, Inzwai, imi vanhu, imi mose.
Naizvozvo mambo waIsiraeri naJehoshafati mambo waJudha vakaenda RamotiGiriyadhi.
Zvino mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, Ini ndichazvishandura, ndigondorwa; asi iwe chifuka nguvo dzangu dzoushe. Mambo waIsiraeri akazvishandura, akandorwa.
Zvino mambo weSiria wakanga araira vatariri vengoro dzake, vana makumi matatu navaviri, akati, Regai kurwa navaduku kana navakuru, asi namambo waIsiraeri oga.
Zvino vatariri vengoro vakati vachiona Jehoshafati, vakati, Zvirokwazvo ndiye mambo waIsiraeri. Vakatsaukira kundorwa naye; zvino Jehoshafati akaridza mhere.
Ipapo vatariri vengoro vakati vachiona kuti haazi mambo waIsiraeri, vakadzoka pakumutevera.
Zvino mumwe murume akahwembura uta hwake asingashumbi, hake, akafura mambo waIsiraeri pakati pezvisungo zvenguvo dzake dzokurwa nadzo, ipapo mambo akati kumufambisi wengoro yake, Dzoka, undiise kunze kwehondo, nokuti ndakuvadzwa kwazvo.
Kurwa kukanyanya kwazvo nomusi uyo; mambo akatsigirwa mungoro yake pakurwa navaSiria, akafa madekwana; ropa rikabuda pavanga rikaerera mukati mengoro.
Zvino zuva rakati rovira mhere ikanzwika pahondo yose, ichiti, Mumwe nomumwe ngaadzokere kuguta rake, mumwe nomumwe kunyika yake.
Naizvozvo mambo akafa, akaiswa Samaria, vakaviga mambo paSamaria.
Vakasuka ngoro padziva reSamaria, imbwa dzikananzva ropa rake, (ndipo paishamba zvifeve); sezvakanga zvarehwa neshoko raJehovha.
Zvino mamwe mabasa aAhabhi, nezvose zvaakaita, neimba yenyanga dzenzou yaakavaka, namaguta ose aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
Naizvozvo Ahabhi akavata namadzibaba ake, Ahazia mwanakomana wake akamutevera paushe.
Zvino Jehoshafati mwanakomana waAsa, wakatanga kubata ushe hwaJudha negore rechina raAhabhi mambo waIsiraeri.
Jehoshafati wakanga ava namakore makumi matatu namashanu pakutanga kwake kubata ushe; akabata makore makumi maviri namashanu paJerusaremu. Zita ramai vake rakanga riri Azubha, mukunda waShirihi.
Akafamba panzira dzose dzababa vake Asa; haana kutsauka padziri, asi wakaita zvakarurama pamberi paJehovha; kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa, vanhu vakaramba vachingobayira nokupisira zvinonhuwira pamatunhu akakwirira.
Jehoshafati akayanana namambo waIsiraeri.
Zvino mamwe mabasa aJehoshafati, nesimba rakaonekwa kwaari, nokurwa kwake, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
VaSodhomiwo vakanga vasiyiwa pamazuva aAsa baba vake, akavabvisawo panyika.
Asi paEdhomu pakanga pasina mambo mumwe wakanga achibata panzvimbo yamambo.
Jehoshafati akavaka zvikepe zveTarishishi kuenda Ofiri kuzotora ndarama; asi hazvina kuenda, nokuti zvikepe zvakaputsika paEZiyonigebheri.
Zvino Ahazia mwanakomana waAhabhi akati kuna Jehoshafati, Varanda vangu ngavaende navaranda vako nezvikepe. Asi Jehoshafati wakaramba.
Jehoshafati akavata namadzibaba ake, akavigwa kuna madzibaba ake paguta raDhavhidhi baba vake, Jehorami mwanakomana wake akamutevera paushe.
Ahazia mwanakomana waAhabhi, akatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria pagore regumi namanomwe raJehoshafati mambo waJudha, akabata ushe hwaIsiraeri makore maviri.
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akafamba nenzira yababa vake, uye nenzira yamai vake, uye nenzira yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, wakatadzisa Isiraeri.
Nokuti wakashumira Bhaari, akanamata kwaari, akatsamwisa Jehovha Mwari waIsiraeri, sezvakaita baba vake pazvose.
- Lizenz
-
CC-0
Link zur Lizenz
- Zitationsvorschlag für diese Edition
- TextGrid Repository (2025). Christos Christodoulopoulos. 1 Kings (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C573-8