1

Zvino Sauro wakati afa, Dhavhidhi akadzoka pakuuraya vaAmareki, Dhavhidhi akagara mazuva maviri paZikiragi;
Zvino nezuva retatu mumwe munhu wakasvika achibva kumisasa kuna Sauro, nguvo dzake dzakabvaruka, uye ane ivhu pamusoro wake; akati achisvika kuna Dhavhidhi, akazviwisira pasi, akanamata kwaari.
Dhavhidhi akati kwaari, Wabvepiko? Akati kwaari, Ndapukunyuka ndichibva kumisasa yaIsiraeri.
Dhavhidhi akati kwaari, Kwakaitweiko? Ndiudze hako. Akapindura, akati, Vanhu vatiza pakurwa, vanhu vazhinji vawira pasi vafa, uye Sauro nomwanakomana wake Jonatani vafawo.
Ipapo Dhavhidhi akati kujaya rakamuudza izvozvo, Unoziva sei kuti Sauro naJonatani mwanakomana wake vafawo.
Jaya rikamuudza rikati, Ndakanga ndichifamba hangu pagomo reGiribhoa, ndikaona Sauro achisendamira papfumo rake, ndikaonawo ngoro navatasvi vachimutevera kwazvo.
Zvino iye wakati achicheuka, akandiona, akandidana. Ndikapindura ndikati, Ndiri pano hangu.
Akati kwandiri, Ndiwe aniko? Ndikamupindura ndikati, Ndiri muAmareki.
Akati kwandiri, Mira kuno kwandiri, undiuraye, nokuti ndabatwa nedzungu kwazvo, nokuti upenyu hwangu huchiri mandiri chose.
Naizvozvo ndikamira kwaari, ndikamuuraya, nokuti ndakanga ndichiziva kwazvo kuti haangararami, kana achinge awira pasi; ndikatora korona yakanga iri pamusoro wake, norundarira rwaiva paruoko rwake, ndikauya nazvo pano kunashe wangu.
lpapo Dhavhidhi akabata nguvo dzake, akadzibvarura, navarume vose vaiva naye vakaitawo saizvozvo.
Vakachema, nokuungudza, nokuzvinyima zvokudya kusvikira madeko pamusoro paSauro naJonatani mwanakomana wake, napamusoro pavanhu vaJehovha, napamusoro peimba yaIsiraeri, nokuti vakanga vaurawa nomunondo.
Dhavhidhi akati kujaya rakanga ramuudza izvozvo, Uri wepiko? Iye akapindura akati, Ndiri mwanakomana womutorwa, muAmareki.
Dhavhidhi akati kwaari, Hauna kutya neiko kutambanudza ruoko rwako kuti uparadze muzodzwa waJehovha?
Ipapo Dhavhidhi akadana rimwe jaya akati, Swedera, umuuraye. Iye akamubaya, akafa.
Dhavhidhi akati kwaari, Ropa rako ngarive pamusoro pako, nokuti muromo wako wakupupurira, zvawakati, Ndakauraya muzodzwa waJehovha.
Dhavhidhi akachema Sauro naJonatani mwanakomana wake nokuchema uku.
Akavaraira kuti vadzidzise vana vaJudha rwiyo urwu rwokuchema; tarirai, rwakanyorwa mubhuku raJashari.
Haiwa Isiraeri! Kubwinya kwako kwaurawa pamatunhu ako akakwirira! Haiwa! Vane simba vakawira pasi sei!
Musazvireva paGati, Musazviparidza panzira dzeAshikeroni; Kuti vakunda vavaFirisitia varege kufara, Kuti vakunda vavasina kudzingiswa varege kupembera.
Imi makomo eGiribhoa, Ngakurege kuva nedova kana mvura pamusoro penyu, kana minda yezvipo; Nokuti ndipo pakangorashwa nhovo dzemhare, nhovo yaSauro, seisina kuzodzwa mafuta.
Uta hwaJonatani hahuna kudzoka. Husina ropa ravakaurawa. Nomunondo waSauro hauna kudzoka usina mafuta avane simba.
Sauro naJonatani vakanga vakadikanwa, vakanaka, paupenyu hwavo; Napakufa kwavo havana kuparadzaniswa; Vaikurumidza kupfuura makondo, Vaiva nesimba kupfuura shumba.
Imi vakunda vaIsiraeri, chemai Sauro, Iye waikufukidzai nomucheka mutsvuku wakanaka, Waiisa zvishongo zvendarama pazvisimiro zvenyu.
Haiwa! Vane simba vakawira pasi sei pakurwa! Jonatani wakaurawa pamatunhu akakwirira.
Ndinotambudzika kwazvo pamusoro pako, munununa wangu Jonatani; Wakanga uchindifadza kwazvo; Rudo rwako kwandiri rwaishamisa, Rwaipfuura rudo rwavakadzi.
Haiwa! Vane simba vakawira pasi sei! Nhumbi dzokurwa nadzo dzakaparadzwa sei!

2

Zvino shure kwaizvozvo Dhavhidhi wakabvunza Jehovha akati, Ndokwira kune rimwe guta raJudha here? Jehovha akati, Kwira. Dhavhidhi akati, Ndokwira kuneripi? Iye akati, Hebhuroni.
Naizvozvo Dhavhidhi akakwirako, navakadzi vake vaviriwo, vana Ahinoami muJezereeri, naAbhigairi, mukadzi waNabhari muKarimeri.
Dhavhidhi akakwirawo navanhu vake vaiva naye, mumwe nomumwe neimba yake, vakandogara pamaguta eHebhuroni.
Varume vaJudha vakauya vakazodza Dhavhidhi, kuti ave mambo weimba yaJudha. Vakaudza Dhavhidhi vachiti, Varume veJabheshiGiriyadhi ndivo vakaviga Sauro.
Dhavhidhi akatuma nhume kuvarume vaJabheshiGiriyadhi, akati kwavari, Muropafadzwe naJehovha, zvamakaitira ishe wenyu Sauro chinhu ichi chakanaka, mukamuviga.
Zvino Jehovha ngaakuitireiwo zvakanaka nezvokwadi; neniwo ndichakuitirai zvakanaka, zvamakaita izvozvi.
Naizvozvo zvino, maoko enyu ngaave nesimba, muve noumhare; nokuti Sauro ishe wenyu wakafa, zvino veimba yaJudha vakandizodza, kuti ndive mambo wavo.
Zvino Abhineri, mwanakomana waNeri, mukuru wehondo yaSauro, wakanga atora Ishibhosheti, mwanakomana waSauro, akamuisa Mahanaimu;
akamuita mambo weGiriyadhi, nowavaAshuri, noweJezereeri, nowaEfuremu, nowaBhenjamini, nowavaIsiraeri vose.
(Ishibhosheti, mwanakomana waSauro, wakanga ava namakore makumi mana nguva yokutanga kwake kubata ushe hwaIsiraeri, akabata ushe makore maviri). Asi veimba yaJudha vakatevera Dhavhidhi.
Nguva yakabata Dhavhidhi ushe hweimba yaJudha paHebhuroni aiva makore manomwe nemwedzi mitanhatu.
Zvino Abhineri, mwanakomana waNeri, navaranda valshibhosheti, mwanakomana waSauro, vakabva Mahanaimu, vakaenda Gibhioni.
NaJoabhu, mwanakomana waZeruya, navaranda vaDhavhidhi vakabudawo, vakasangana navo padziva reGibhiyoni; vakagara pasi, vamwe nechokuno kwedziva, vamwe nechemhiri kwedziva.
Abhineri akati kuna Joabhu, Majaya ngaasimuke, atambe pamberi pedu. Joabhu akati, Ngavasimuke havo.
Ipapo vakasimuka, vakaenda namapoka; gumi navaviri kurutivi rwaBhenjamini naIshibhosheti, mwanakomana waSauro, uye gumi navaviri vavaranda vaDhavhidhi.
Mumwe nomumwe akabata musoro wowakatarisana naye, vakabayana neminondo kunhivi dzavo, naizvozvo vakawira pasi pamwechete; naizvozvo nzvimbo iyo yakanzi Herikatiharuzimi, iri paGibhiyoni.
Kurwa kukanyanya kwazvo zuva iro; Abhineri navarume vaIsiraeri vakakundwa navaranda vaDhavhidhi.
Vanakomana vatatu vaZeruya vakanga varipo, vana Joabhu, naAbhishai, naAshaheri; Ashaheri waigona kumhanya sechengu.
Ashaheri akateverera Abhineri; zvino pakumhanya kwake haana kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe pakuteverera Abhineri.
Abhineri akacheuka, akati, Ndiwe Ashaheri here? Akapindura, akati, Ndini.
Abhineri akati kwaari, Tsaukira hako kurudyi kana kuruboshe, ubate hako rimwe ramajaya, utore nhumbi dzake dzokurwa nadzo. Asi Ashaheri wakaramba kutsauka pakumuteverera.
Abhineri akatizve kuna Ashaheri, Tsauka hako pakunditeverera; ndichakuurayireiko? Ndingazondoonana sei naJoabhu mukuru wako?
Asi wakaramba kutsauka; naizvozvo Abhineri wakamubaya nomudumbu nechireya chepfumo, pfumo rikabuda neseri kwake; akawira pasi ipapo, akafirapo; zvino vanhu vose vakati vachisvika pakanga pawira Ashaheri pasi pakufa kwake, vakamira.
Asi Joabhu naAbhishai vakateverera Abhineri, zuva rikavira pakusvika kwavo pachikomo cheAma, vaiva pamberi peGiya panzira yerenje inoenda Gibhiyoni.
Zvino vana vaBhenjamini vakaungana kuzotevera Abhineri, vakaita boka rimwe, vakamira pamusoro pechikomo,
Abhineri akashevedzera kuna Joabhu akati, Ko munondo ucharamba uchingoparadza nokusingaperi here? Hauzivi kuti zvichavava pakupedzisira here? Uchanonoka kusvikira rinhiko kuraira vanhu kuti vadzoke pakuteverera hama dzavo?
Joabhu akati, NaMwari mupenyu, dai usina kutaura, zvirokwazvo vanhu vangadai varega mangwana kuteverera mumwe nomumwe hama yake.
Naizvozvo Joabhu akaridza hwamanda, vanhu vose vakamira, vakarega kuzoteverera Isiraeri, vakasazorwazve.
Abhineri navanhu vake vakagura neArabha usiku uhwo hwose, vakayambuka Jorodhani, vakagura neBhitironi yose, vakasvika Mahanaimu.
Ipapo Joabhu akadzoka pakuteverera Abhineri; zvino wakati aunganidza vanhu vose, varume vane gumi navapfumbamwe naAshaheri vakashaikwa kuvaranda vaDhavhidhi.
Asi varanda vaDhavhidhi vakanga vauraya varume vana mazana matatu namakumi matatu vavaBhenjamini navarume vaAbhineri.
Vakasimudza Ashaheri, vakandomuviga muhwiro hwababa vake, hwaiva paBheterehemu. Joabhu navanhu vake vakafamba usiku hwose, utonga hwukatsvuka pakusvika kwavo paHebhuroni.

3

Zvino kwakanga kunokurwa nguva huru pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi; Dhavhidhi akaramba achiwedzerwa simba, asi imba yaSauro yakaramba ichitorerwa simba. Vana vaDhavhidhi
Dhavhidhi akaberekerwa vanakomana paHebhuroni; dangwe rake raiva Amunoni, mwanakomana waAhinoami muJezereeri;
wechipiri waiva Kireabhi, mwanakomana waAbhigairi, waiva mukadzi waNabhari muKarimeri; wechitatu waiva Abhusaromu, mwanakomana waMaaka, mukunda waTarimai, mambo weGeshuri;
wechina waiva Adhonia, mwanakomana waHagiti; wechishanu waiva Shefatia, mwanakomana waAbhitari,
wechitanhatu waiva Itireami, mwanakomana waEgira mukadzi waDhavhidhi. Ndivo vakaberekerwa Dhavhidhi paHebhuroni. Abhineri anourawa naJoabhu
Zvino kurwa kwakati kuripo pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi, Abhineri akazvisimbisa paimba yaSauro.
Zvino Sauro wakanga anomurongo, wainzi Rizipa, mukunda waAya; Ishibhosheti akati kuna Abhineri, Wapindireiko kumurongo wababa vangu?
Ipapo Abhineri akatsamwa kwazvo namashoko aIshibhosheti, akati, Ndiri musoro wembwa yokwaJudha here? Iko nhasi ndinoitira imba yaSauro, baba vako, navanununa vake, nehama dzake zvakanaka, newe handina kukuisa paruoko rwaDhavhidhi; kunyange zvakadaro, unondipomera mhaka nhasi pamusoro pomukadzi uyu.
Mwari ngaarove Abhineri, arambe achidaro, kana ndisingaitiri Dhavhidhi sezvakapika Jehovha kwaari;
achiti uchatamisa ushe paimba yaSauro, amutse chigaro choushe chaDhavhidhi pakati paIsiraeri naJudha, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha.
Akasagona kupindura Abhineri kunyange shoko rimwe, nokuti wakanga achimutya.
Zvino Abhineri akatuma nhume kuna Dhavhidhi kwaakanga ari, akati, Nyika iyi ndeyaniko? Akati, Ita sungano neni, ruoko rwangu ruve newe, ndiuyise vaIsiraeri vose kwauri.
Akati, Zvakanaka, ndichaita sungano newe, asi ndinokuudza chinhu chimwe, kuti haungaoni chiso changu, kana usingauyi naMikari, mukunda waSauro, kana uchiuya kuzoona chiso changu.
Dhavhidhi akatuma nhume kuna Ishibhosheti, mwanakomana waSauro, akati, Ndipe Mikari mukadzi wangu, wandakanyenga nezvikanda zvapamberi zvavaFirisitia zvine zana.
Ipapo Ishibhosheti akatuma nhume kundomutora kumurume wake Paritieri, mwanakomana waRaishi.
Murume wake akamutevera achingochema, kusvikira paBhahurimu. Ipapo Abhineri akati kwaari, Enda udzoke; iye akadzoka hake.
Abhineri akarangana navakuru vaIsiraeri akati, Kare makanga muchitsvaka Dhavhidhi kuti ave mambo wenyu.
Naizvozvo zvino chiitai henyu kudaro, nokuti Jehovha wakataura pamusoro paDhavhidhi, akati, Noruoko rwomuranda wangu Dhavhidhi ndichaponesa vanhu vangu vaIsiraeri pamaoko avaFirisitia, napamaoko avavengi vavo vose.
Abhineri akataurawo navaBhenjamini, Abhineri akaenda akataurawo naDhavhidhi, zvose zvakanga zvichifadza Isiraeri neimba yose yaBhenjamini.
Naizvozvo Abhineri akasvika kuna Dhavhidhi paHebhuroni, ana varume vana makumi maviri. Dhavhidhi akaitira Abhineri navanhu vakanga vanaye mutambo.
Abhineri akati kuna Dhavhidhi, Ndichasimuka, ndikaenda kundounganidzira ishe wangu mambo vaIsiraeri vose, kuti vaite sungano nemi, mubate ushe pose pamunoda napo nomoyo wenyu. Dhavhidhi akaendisa Abhineri, akaenda norugare.
Zvino varanda vaDhavhidhi naJoabhu vakadzoka pakundopambara, vakauya nezvakapambwa zvizhinji; asi Abhineri wakanga asipo kuna Dhavhidhi paHebhuroni, nokuti wakanga amuendisa, akaenda hake norugare.
Zvino Joabhu nehondo yose yakanga inaye vakati vasvika, Joabhu akaudzwa, zvichinzi, Abhineri, mwanakomana waNeri, wakasvika kuna mambo, akaendiswa hake norugare.
ipapo Joabhu akaenda kuna mambo, akati, Maiteiko? Tarirai, Abhineri wakanga asvika kwamuri, mamuregereiko achienda, zvino waenda chose?
Munoziva Abhineri mwanakomana waNeri, kuti wakanga auya kuzokunyengerai, azive kubuda kwenyu nokupinda kwenyu, nokuziva zvose zvamunoita.
Joabhu akati abuda kuna Dhavhidhi, akatuma nhume dzitevere Abhineri, idzo dzikamudzora patsime reSira; asi Dhavhidhi wakanga asingazvizivi.
Zvino Abhineri wakati adzoswa Hebhuroni, Joabhu akaenda naye vari voga pakati peSuo, kuti ataurirane naye vari voga, akamubayapo nomudumbu, akafa, nokuda kweropa romunununa wake Ashaheri.
Pashure Dhavhidhi wakati achizvinzwa, akati, Ini noushe hwangu hatine mhosva pamberi paJehovha nokusingaperi pamusoro peropa raAbhineri mwanakomana waNeri;
ngazvive pamusoro waJoabhu napamusoro peimba yose yababa vake; imba yaJoabhu igare ina vanhu vane hosha yokuyerera, kana vane maperembudzi, kana vanodonzva nomudonzvo, kana vanourawa nomunondo, kana vanoshaiwa zvokudya.
Naizvozvo Joabhu naAbhishai nomunununa wake vakauraya Abhineri, nokuti wakanga auraya munununa wavo Ashaheri pakurwa paGibhiyoni.
Zvino Dhavhidhi akati kuna Joabhu, nokuna vanhu vose vakanga vanavo, Bvarurai nguvo dzenyu, musimire magumbu pazviuno zvenyu, mucheme pamberi paAbhineri. Mambo Dhavhidhi akatevera hwanyanza.
Vakaviga Abhineri paHebhuroni, mambo akachema kwazvo pahwiro hwaAbhineri; navanhu vose vakachema.
Mambo akachema Abhineri, akati, Abhineri waifanira kufa nomufiro webenzi here?
Maoko ako akanga asina kusungwa, namakumbo ako akanga asina kupinzwa mumatare; lwe wakafa sokufa kwomunhu pamberi pavana vezvakaipa. Vanhu vose vakamuchemazve.
Zvino vanhu vose vakauya kuzokuridzira Dhavhidhi kudya zvokudya achiri masikati; asi Dhavhidhi wakapika, akati, Mwari ngaandirove, arambe achidaro, kana ndikaravira chingwa kana chimwe chinhu zuva richigere kuvira.
Vanhu vose vakazviona, vakafara nazvo, nokuti zvose zvinenge zvakanga zvichiitwa namambo zvakafadza vanhu vose.
Naizvozvo vanhu vose navaIsiraeri vose vakaziva kuti wakanga asi mambo wakaraira kuti Abhineri mwanakomana waNeri aurawe.
Zvino mambo akati kuvaranda vake, Hamuzivi here kuti nhasi muchinda nomunhu mukuru wafa pakati paIsiraeri?
Ini nhasi handine simba, kunyange ndiri mambo wakazodzwa; varume ava vanakomana vaZeruya vanondikurira; Jehovha ngaatsive muiti wezvakaipa zvakafanira kuipa kwake.

4

Zvino Ishibhohosheti mwanakomana waSauro, akati anzwa kuti Abhineri wakanga afa paHebhuroni, maoko ake akashaiwa simba, navaIsiraeri vose vakavhunduka.
Zvino mwanakomana waSauro wakanga ana varume vaviri vakanga vari vakuru vamapoka; zita romumwe rakanga riri Bhaana, zita romumwe Rekabhu; vaiva vana vaRimoni muBheeroti, wavana vaBhenjamini; (nokuti Bheeroti rakanga richiverengerwawo kuna Bhenjamini;
vaBheeroti vakatizira Gitaimu, vakava vatorwapo kusvikira nhasi).
Zvino Jonatani mwanakomana waSauro, wakanga ano mwanakomana wakaremara pamakumbo ake. Iye wakanga ava namakore mashanu panguva yokusvika kweshoko rokuurawa kwaSauro naJonatani paJezereeri, mureri wake akamusimudza akatiza naye; zvino wakati achikurumidza kutiza, mwana akawa, akaremara. Zita rake rakanga riri Mefibhosheti.
Vana vaRimoni muBheeroti, vanaRekabhu naBhaana, vakaenda, vakasvika paimba yaIshibhosheti zuva richipisa, iye achizorora masikati.
Vakapinda mukati meimba, vachiita sokuda kutora zviyo, vakamubaya nomudumbu; Rekabhu naBhaana ndokutiza.
Nokuti vakanga vapinda mumba make mokuvata, vakamubaya, vakamuuraya, vakagura musoro wake, ndokutora musoro wake, vakaenda nenzira yeArabha usiku hwose.
Vakaisa musoro walshibhosheti kuna Dhavhidhi paHebhuroni, vakati kuna mambo, Hoyo musoro waIshibhosheti mwanakomana waSauro muvengi wenyu, wakanga achitsvaka kukuurayai; Jehovha wakatsiva ishe wangu mambo nhasi pamusoro paSauro navana vake.
Dhavhidhi akapindura Rekabhu naBhaana munununa wake, vana vaRimoni muBheeroti, akati kwavari, NaJehovha mupenyu, wakadzikunura mweya wangu panjodzi dzose,
musi wandakaudzwa nomumwe, achiti, Tarirai, Sauro afa, achifunga kuti wauya neshoko rakanaka, ndakamubata, ndikamuuraya paZikiragi; ndiwo waiva mubayiro wandakamupa pamusoro peshoko rake.
Ndoda kana vanhu vakaipa vauraya munhu wakarurama hake mumba make, avete panhovo dzake, handingarevi ropa rake pamaoko enyu zvino, ndikakubvisai panyika here?
Ipapo Dhavhidhi akaraira majaya vakavauraya vakavagura maoko avo netsoka dzavo, vakavaturika kurutivi rwedziva paHebhuroni. Asi vakatora musoro walshibhosheti, vakauviga muhwiro hwaAbhineri paHebhuroni.

5

Zvino marudzi ose avaIsiraeri akauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni, akataura akati, Tarirai tiri mapfupa enyu nenyama yenyu.
Kare Sauro achiri mambo wedu, ndimi maitungamirira vaIsiraeri muchibuda navo nokupinda navo; Jehovha akati kwamuri, Iwe uchafudza vanhu vangu vaIsiraeri.
Naizvozvo vakuru vose vaIsiraeri vakauya kuna mambo paHebhuroni, mambo Dhavhidhi akaita sungano paHebhuroni pamberi paJehovha; ivo vakazodza Dhavhidhi, kuti ave mambo waIsiraeri.
Dhavhidhi wakanga ana makore makumi matatu pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe makore makumi mana.
Akabata ushe paHebhuroni pavaJudha makore manomwe nemwedzi mitanhatu; akabatawo ushe paJerusaremu makore makumi matatu namatatu pavaIsiraeri navaJudha vose.
lye mambo navanhu vake vakaenda Jerusaremu kundorwa navaJebhusi vakanga vagere panyika iyo; ivo vakataura naDhavhidhi, vakati, Haungapindi pano, mapofu nezvirema vangakudzinga, nokuti vakati, Dhavhidhi haangapindi pano.
Kunyange zvakadaro Dhavhidhi wakakunda nhare yeZiyoni; ndiro guta raDhavhidhi.
Dhavhidhi akati nezuva iro, Ani nani unoparadza vaJebhusi, ngaakwire kumugero wemvura, auraye zvirema namapofu, vanovengwa nomweya waDhavhidhi. Naizvozvo vanoti, Mapofu nezvirema havangapindi mumba.
Dhavhidhi akagara munhare, akaitumidza guta raDhavhidhi. Dhavhidhi akavaka kunhivi dzose, kubva paMiro, zvichipinda mukati.
Dhavhidhi akaramba achikura, nokuti Jehovha, Mwari wehondo, wakanga anaye.
Hiramu mambo weTire akatuma nhume kuna Dhavhidhi namatanda emisidhari, navavezi, navavaki, vakavakira Dhavhidhi imba.
Zvino Dhavhidhi akaziva kuti Jehovha wakanga amusimbisa kuti ave mambo waIsiraeri, uye kuti wakanga akudza ushe hwake nokuda kwavanhu vake Isiraeri.
Dhavhidhi wakati abva Hebhuroni, akazvitorera vamwe varongo navakadzi paJerusaremu, Dhavhidhi akaberekerwa vanakomana navanasikana.
Ndiwo mazita avakaberekerwa Jerusaremu: Shamua, naShobhabhu, naNatani, naSoromoni,
naIbhari, naErishua, naNefegi, naJafia,
naErishama, naEriadha, naErifereti.
Zvino vaFirisitia vakati vachinzwa kuti Dhavhidhi wakanga azodzwa kuti ave mambo wavaIsiraeri, vaFirisitia vose vakakwira kundotsvaka Dhavhidhi; Dhavhidhi akazvinzwa, akaburukira kunhare.
VaFirisitia vakanga vasvika, vakapararira pamupata weRefaimu.
Dhavhidhi akabvunza Jehovha, akati, Ndokwira kundorwa navaFirisitia here? Muchavaisa mumaoko angu here? Jehovha akati kuna Dhavhidhi, Kwira, nokuti zvirokwazvo ndichaisa vaFirisitia mumaoko ako.
Dhavhidhi akasvika paBhaari-perazimi, Dhavhidhi akavaparadzapo. Akati, Jehovha wakapwanya vavengi vangu pamberi pangu, sokupwanya kwemvura. Naizvozvo akatumidza nzvimbo iyo Bhaari-perazimi.
Vakasiya zvifananidzo zvavo ipapo, Dhavhidhi navanhu vake vakazvitora.
VaFirisitia vakauyazve, vakapararira pamupata weRefaimu.
Zvino Dhavhidhi wakati achibvunza Jehovha, iye akati, Usakwira, asi upote shure kwavo, ugovavamba pakatarisana nemiti yemimaribheri.
Zvino kana uchinzwa kutinhira kwokufamba pangara dzemiti yemimaribheri, unofanira kukurumidza, nokuti ndiJehovha wakutungamirira kundoparadza hondo yavaFirisitia.
Dhavhidhi akaita sezvaakarairwa naJehovha; akaparadza vaFirisitia kubva paGebha kusvikira paGezeri.

6

Zvino Dhavhidhi wakaunganidzazve varume vose vakanga vakatsaurwa vavaIsiraeri, vakanga vane zviuru zvina makumi matatu.
Dhavhidhi akasimuka, akaenda navanhu vose vaakanga anavo, vachibva Bhaarijudha, kuti vatorepo areka yaMwari, panodanwa Zita, iro Zita raJehovha wehondo, ugere pamusoro pamakerubi.
Vakaisa areka yaMwari pamusoro pengoro itsva, vakaibvisa paimba yaAbhinadhabhu, yakanga iri pachikomo, Uza naAhiyo, vanakomana vaAbhinadhabhu, vakafambisa ngoro itsva.
Vakaibvisa paimba yaAbhinadhabhu, yakanga iri pachikomo, ine areka yaMwari; Ahiyo akatungamirira areka.
Dhavhidhi neimba yose yaIsiraeri vakaridza pamberi paJehovha zvinoridzwa zvamarudzi ose, zvomusiperesi, nembira, nemitengeranwa, nengoma, namatare, anoridzwa, namakandira.
Zvino vakati vachisvika paburiro raNakoni, Uza ndokutambanudzira ruoko rwake kuareka yaMwari, akaibata, nokuti nzombe dzakanga dzogumburwa.
Kutsamwa kwaJehovha kukamukira Uza, Mwari akamuuraya ipapo, nemhaka yokutadza kwake, iye akafirapo paareka yaMwari.
Dhavhidhi akawora moyo nokuti Jehovha wakanga arova Uza, akatumidza nzvimbo iyo Pereziuza kusvikira zuva ranhasi.
Dhavhidhi akatya Jehovha zuva iro, akati, Zvino areka yaJehovha ichasvika seiko kwandiri?
Naizvozvo Dhavhidhi akaramba kuisa areka yaJehovha kwaari muguta raDhavhidhi; asi Dhavhidhi wakaitsausira kumba kwaObhedhi-Edhomu muGiti.
Areka yaJehovha ikagara mumba maObhedhi-Edhomu muGiti mwedzi mitatu; Jehovha akaropafadza Obhedhi-Edhomu neimba yake yose.
Zvino vakaudza mambo Dhavhidhi, vachiti, Jehovha wakaropafadza imba yaObhedhi-Edhomu nezvose zvake nokuda kweareka yaMwari. Ipapo Dhavhidhi akaenda akatora areka yaMwari kumba kwa Obhedhi-Edhomu, akakwira nayo kuguta raDhavhidhi nomufaro.
Zvino nguva dzose kana ivo, vakatakura areka vachinge vafamba nhambwe nhanhatu, akabaya mombe nemhuru yakakora.
Dhavhidhi akatamba pamberi paJehovha nesimba rake rose; Dhavhidhi akanga akafuka efodhi yomucheka.
Naizvozvo Dhavhidhi neimba yose yaIsiraeri vakakwira neareka yaJehovha vachipururudza nokuridza hwamanda.
Zvino areka yaJehovha yakati ichisvika muguta raDhavhidhi, Mikari mukunda waSauro akatarira napahwindo, akaona mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba pamberi paJehovha, akamushora mumoyo make.
Vakapinda neareka yaJehovha, vakaiisa panzvimbo yayo pakati petende rayakanga yadzikirwa naDhavhidhi; Dhavhidhi akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa pamberi paJehovha.
Zvino Dhavhidhi wakati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa, akaropafadza vanhu nezita raJehovha wehondo.
Akagovera vanhu vose, ivo vaIsiraeri vazhinji vose, varume navakadzi, mumwe nomumwe bundu rechingwa, nenhindi yenyama, nesumbu ramazambiringa akawomeswa. Zvino vanhu vose vakabva, mumwe nomumwe akaenda kumba kwake.
Dhavhidhi akadzoka kuzoropafadza imba yake. Mikari mukunda waSauro akabuda kuzosangana naDhavhidhi, akati, Haiwa, mambo waIsiraeri wazvikudza sei nhasi, zvaakazvifukura pamberi pavarandakadzi vavaranda vake, sokuzvifukura kwebenzi risinganyari!
Dhavhidhi akati kuna Mikari, Ndakazviita pamberi paJehovha, wakanditsaura pamusoro pababa vako, napamusoro peimba yake yose, kuti andiite mubati wavanhu vaJehovha, ivo vaIsiraeri; naizvozvo ndichatamba hangu pamberi paJehovha.
Ndichazvidukupisa kupfuura izvozvo, ndichazvininipisa pachangu; asi kana vari varandakadzi vawareva, ndichakudzwa navo.
Mikari mukunda waSauro, wakanga asina vana kusvikira zuva rokufa kwake.

7

Zvino mambo wakati agere mumba make, Jehovha amuzorodza pavavengi vake vose vakanga vakamupoteredza,
mambo akati kumuporofita Natani, Zvino tarira, ini ndigere muimba yomusidhari, asi areka yaMwari igere pakati pemicheka.
Natani akati kuna mambo, Endai, muite henyu zvose zviri mumoyo menyu, nokuti Jehovha anemi.
Zvino nousiku uhwo shoko raJehovha rakasvika kuna Natani, richiti,
Enda undoudza muranda wangu Dhavhidhi, uti, Zvanzi naJehovha: Iwe uchandivakira imba mandingagara here?
Nokuti handina kugara mumba kubva pazuva randakandotora vana vaIsiraeri Ijipiti kusvikira zuva ranhasi, asi ndaifamba mutende nomutabhenakeri.
Pose pandakafamba navana vaIsiraeri vose, ndakatongotaura here shoko rimwe kunomumwe wavatongi vaIsiraeri, vandakaraira kufudza vanhu vangu vaIsiraeri, ndichiti Makaregereiko kundivakira imba yomusidhari?
Naizvozvo zvino, unofanira kuti kumuranda wangu Dhavhidhi, Zvanzi naJehovha wehondo, Ndakakutora kumafuro, kwawakanga uchifudza makwai, kuti uve mubati wavanhu vangu vaIsiraeri;
ndikava newe pose pawakafamba, ndikaparadza vavengi vako vose pamberi pako; ndichakuitira zita guru, ringafanana namazita avakuru vari panyika.
Ndichatarira vanhu vangu vaIsiraeri nzvimbo, ndichavasima, vagare panzvimbo yavo, varege kubviswazve; navakaipa havangavatambudzizve sapakutanga,
nokubva pazuva randakaraira vatongi kuti vabate vanhu vangu vaIsiraeri. Asi iwe ndichakuzorodza pavavengi vako vose. Uyezve Jehovha unokuudza kuti Jehovha uchakumisira imba.
Kana nguva yako yasvika, iwe ukavata namadzibaba ako, ndichamutsa mumwe worudzi rwako uchakutevera, uchabuda muura mako, ndikasimbisa ushe hwake.
Iye uchavakira zita rangu imba, neni ndichasimbisa chigaro chake choushe nokusingaperi.
Ini ndichava baba vake, naiye uchava mwanakomana wangu; kana akazoita zvakaipa, ndichamuranga neshamhu yavanhu, uye nokurohwa kwavana vavanhu;
asi nyasha dzangu hadzingabvi kwaari, sezvandakadzibvisa kuna Sauro, wandakabvisa pamberi pako.
Imba yako noushe hwako zvichasimbiswa pamberi pako nokusingaperi, nechigaro chako choushe chichasimbiswa nokusingaperi.
Natani akaudza Dhavhidhi mashoko awa ose, nezvose zvaakanga aratidzwa.
Ipapo mambo Dhavhidhi akapinda, akagara pamberi paJehovha, akati, Jehovha Mwari, ndini aniko, neimba yangu chinyiko, zvamakandisvitsa kusvikira pano?
Asi chinhu ichi chakanga chiri chiduku pamberi penyu, Jehovha Mwari, asi makataurawo pamusoro peimba yomuranda wenyu kusvikira panguva huru inozouya; asi iyi ndiyo tsika yavanhu, Jehovha Mwari!
Ko Dhavhidhi ungareveizve kwamuri? Nokuti munoziva henyu muranda wenyu, Jehovha Mwari.
Nokuda kweshoko renyu, uye sezvamakafunga mumoyo menyu, makaita zvinhu izvi zvikuru zvose, kuzvizivisa muranda wenyu.
Naizvozvo muri mukuru, Jehovha Mwari, nokuti hakuna mumwe wakafanana nemi, hakuna mumwe Mwari kunze kwenyu, sezvatakanzwa zvose nenzeve dzedu.
Rumwe rudzi ruripiko panyika rwakafanana navanhu venyu vaIsiraeri, vakandodzikunurwa naMwari, vave vanhu vake kuti iye akurumbire, uye akuitirei imi zvinhu zvikuru, nenyika yenyu zvinhu zvinotyisa, pamberi pavanhu venyu, vamakazvidzikunurira paIjipiti, vabve pakati pavahedheni navamwari vavo?
Mukazvisimbisira vanhu venyu vaIsiraeri, kuti vave vanhu venyu nokusingaperi; imi Jehovha mukava Mwari wavo.
Zvino Jehovha Mwari, shoko ramakataura pamusoro pomuranda wenyu napamusoro peimba yake, murisimbisei henyu nokusingaperi, muite sezvamakataura.
Zita renyu ngarikudzwe nokusingaperi, zvichinzi, Jehovha wehondo ndiMwari waIsiraeri; imba yomuranda wenyu Dhavhidhi ichasimbiswa pamberi penyu.
Nokuti imi Jehovha wehondo Mwari waIsiraeri, makazivisa muranda wenyu, muchiti, Ndichakuvakira imba; naizvozvo muranda wenyu wakatsunga kunyengetera munyengetero uyu kwamuri.
Zvino Jehovha Mwari, ndimi Mwari, uye mashoko enyu ndeezvokwadi, makapikira muranda wenyu chinhu ichi chakanaka;
naizvozvo zvino chiropafadzai henyu imba yomuranda wenyu, kuti irambe iripo pamberi penyu nokusingaperi, nokuti imi Jehovha Mwari makataura saizvozvo; imba yomuranda wenyu ngairopafadzwe nokuropafadza kwenyu nokusingaperi.

8

Zvino shure kwaizvozvo Dhavhidhi wakarwa navaFirisitia akavakunda; Dhavhidhi akatorera vaFirisitia chikuriri chomuzinda wavo.
Akakunda Moabhuwo, akavayera nebote, ambovavatisa pasi; akayera namabote maviri vaifanira kuvurawa, vuye nebote rimwe rose vaifanira kuregwa vari vapenyu. VaMoabhu vakaitwa varanda vaDhavhidhi vakamuvigira zvipo.
Dhavhidhi akakundawo Hadhadhezeri mwanakomana waRehobhu, mambo weZhobha, pakuenda kwake kundotora ushe hwake paRwizi.
Dhavhidhi akamutorera vatasvi vamabhiza vane chiuru chimwe namazana manomwe, navaifamba namakumbo vane zviuru zvina makumi maviri; Dhavhidhi akagura marunda amakumbo amabhiza ose aikweva ngoro, asi wakachengetera ngoro dzine zana mamwe awo.
Zvino vaSiria veDhamasiko vakati vachiuya kuzobatsira Hadhadhezeri mambo weZobha, Dhavhidhi akauraya vaSiria vane zviuru zvina makumi maviri nezviviri.
Dhavhidhi akaisa mapoka avarwi muSiria paDhamasiko; vaSiria vakava varanda vaDhavhidhi vakamuvigira zvipo. Jehovha akakundisa Dhavhidhi pose paakaenda.
Dhavhidhi akatora nhovo dzendarama dzakanga dzakashongwa navaranda vaHadhadhezeri, akadziisa Jerusaremu.
Mambo Dhavhidhi akatorawo ndarira zhinji kwazvo paBheta napaBherotai, aiva maguta aHadhadhezeri.
Zvino Toi mambo weHamati wakati anzwa kuti Dhavhidhi wakanga aparadza hondo yose yaHadhadhezeri,
Toi akatuma mwanakomana wake Joramu kuna mambo Dhavhidhi kumukwazisa nokumukorokotedza, pamusoro pokurwa kwake naHadhadhezeri wairwa naToi. Joramu akauya nemidziyo yesirivha, nemidziyo yendarama, nemidziyo yendarira.
Neyiyiwo mambo Dhavhidhi wakaitsaurira Jehovha, pamwechete nesirivha nendarama yaakamutsaurira, yakabva kundudzi dzose dzaakanga akunda;
kuvaSiria, navaMoabhu, navana vaAmoni, navaFirisitia, navaAmareki, nezvakanga zvatapwa kuna Hadhadhezeri mwanakomana waRehobhu, mambo weZobha.
Dhavhidhi akakurumbira kwazvo nguva yaakadzoka pakuuraya vaSiria paMupata woMunyu, vaiva varume vane zviuru zvine gumi nezvisere.
Akaisa mapoka avarwi paEdhomu; wakaisa mapoka avarwi paEdhomu yose, vaEdhomu vose vakava varanda vaDhavhidhi Jehovha akakundisa Dhavhidhi pose paakaenda.
Dhavhidhi akabata vaIsiraeri vose; Dhavhidhi akatonga vanhu vake vose akavaitira zvakarurama.
Joabhu mwanakomana waZeruya ndiye wairaira hondo, naJehoshafati mwanakomana waAhirudhi waiva sahwira;
Zadhoki mwanakomana waAhitubhi, naAhimereki mwanakomana waAbhiatari, vaiva vapirisiti, naSeraya waiva munyori.
Bhenaya mwanakomana waJehoyadha ndiye wairaira vaKereti navaPereti, uye vanakomana vaDhavhidhi vaiva vapirisiti.

9

Zvino Dhavhidhi wakati, Kuchinomumwe wakasara weimba yaSauro, wandingaitira zvakanaka nokuda kwaJonatani here?
Zvino kwakanga kuchinomuranda weimba yaSauro wainzi Zibha, vakamudanira kuna Dhavhidhi; mambo akati kwaari, Ndiwe Zibha here? Iye akati, Muranda wenyu ndiye.
Mambo akati kwaari, Hakuchina mumwe weimba yaSauro, wandingaitira kunaka kwaMwari here? Zibha akati kuna mambo, Jonatani uchinomwanakomana wakaremara tsoka.
Mambo akati kwaari, Uripi? Zibha akati kuna mambo, Tarirai, uri kumba kwaMakiri mwanakomana waAmieri paRhodhebhari.
Ipapo mambo Dhavhidhi akatuma nhume kundomutora kumba kwaMakiri mwanakomana waAmieri paRhodhebhari.
Naizvozvo Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro, akasvika kuna Dhavhidhi, akawira pasi nechiso chake, akamupfugamira. Dhavhidhi akati, Mefibhosheti! Iye akapindura akati, Tarirai muranda wenyu.
Dhavhidhi akati kwaari, Usatya, nokuti zvirokwazvo ndichakuitira zvakanaka nokuda kwaJonatani baba vako, uye ndichakudzosera nyika yose yababa vako Sauro; iwe uchagara uchidya zvokudya patafura yangu.
Iye akamupfugamira akati, Muranda wenyu chinyiko, zvamakatarira imbwa yakafa seni?
Ipapo mambo akadana Zibha muranda waSauro, akati kwaari, Zvose zvakanga zviri zvaSauro neimba yake yose, ndakazvipa mwanakomana watenzi wako.
Iwe unofanira kumurimira minda, iwe navanakomana vako, navaranda vako, nokukohwa mbesa kuti mwanakomana watenzi wako ave nezvokudya zvaangadya; asi Mefibhosheti mwanakomana watenzi wako, uchagara achidya zvokudya patafura yangu. Zvino Zibha waiva navanakomana vane gumi navashanu navaranda vana makumi maviri.
Ipapo Zibha akati kuna mambo, Muranda wenyu uchaita zvose zvinorairwa muranda wenyu nashe wangu mambo. Mambo akati, Kana ari Mefibhosheti, iye ucharamba achidya patafura yangu, somumwe wavanakomana vamambo.
Zvino Mefibhosheti waiva nomwanakomana muduku, wainzi Mika. Uye vose vakanga vagere mumba maZibha vaiva varanda vaMefibhosheti.
Naizvozvo Mefibhosheti wakagara Jerusaremu, nokuti waigara achidya patafura yamambo; wakanga akaremara tsoka dzake dzose.

10

Shure kwaizvozvo mambo wavana vaAmoni wakafa, Hanuni mwanakomana wake akabata ushe panzvimbo yake.
Zvino Dhavhidhi akati, Ndichaitira Hanuni mwanakomana waNahashi zvakanaka, sezvandakaitirwa zvakanaka nababa vake. Naizvozvo Dhavhidhi akatuma varanda vake kumubata ruoko pamusoro pababa vake. Varanda vaDhavhidhi vakasvika kunyika yavana vaAmoni.
Asi machinda avana vaAmoni akati kuna Hanuni ishe wavo, Munofunga kuti Dhavhidhi unoda kukudza baba venyu zvaatuma vabati voruoko kwamuri here? Dhavhidhi haana kutuma varanda vake kwamuri kuti anzvere guta nokurishora, nokuriputsa here?
Naizvozvo Hanuni akabata varanda vaDhavhidhi, akavewura rumwe rutivi rwendebvu dzavo, akagura nguvo dzavo napakati kusvikira pamagaro avo, akavadzinga.
Zvino vakati vaudza Dhavhidhi izvozvo, akatuma vanhu kundosangana navo; nokuti varume vakanga vachinyara kwazvo. Mambo akati, Garai henyu Jeriko kusvikira ndebvu dzenyu dzamerazve, mugodzoka henyu.
Zvino vana vaAmoni vakati vachiona kuti vovengwa naDhavhidhi, vana vaAmoni vakatuma nhume vakaripira vaSiria veBhetirehobhu, navaSiria veZobha, vaifamba namakumbo vane zviuru zvina makumi maviri, namambo weMaaka ana varume vane chiuru chimwe, navarume veTobhi vane zviuru zvine gumi nezviviri.
Dhavhidhi wakati azvinzwa, akatuma Joabhu nehondo yose yavarume vane simba.
Vana vaAmoni vakabuda, vakagadzira hondo pavanopinda napo pasuo; vaSiria veZobha, naveRehobhu, navarume veTobhi neMaaka vakanga vari pachavo voga pasango.
Zvino Joabhu wakati achiona kuti wovavarirwa mberi neshure, akatsaura vamwe kuna vakatsaurwa vose valsiraeri, akavagadzira kuti varwe navaSiria.
Vamwe vanhu, vakanga vasara, akavaisa kuna Abhishai, munununa wake, akavagadzira kuti varwe navana. vaAmoni.
Akati, Kana vaSiria vakandikurira, iwe unofanira kundibatsira; asi kana vana vaAmoni vakakukurira iwe, ini ndichauya kukubatsira.
Tsunga moyo, tirwire vanhu vedu namaguta aMwari wedu savarume; naJehovha ngaaite sezvaanoda.
Naizvozvo Joabhu navanhu vaakanga anavo vakaswedera kuzorwa navaSiria, ivo vakatiza pamberi pake.
Zvino vana vaAmoni vakati vachiona kuti vaSiria vatiza, naivo vakatizawo saizvozvo pamberi paAbhishai, vakapinda muguta. Ipapo Joabhu akadzoka kuvana vaAmoni, akasvika Jerusaremu.
Zvino vaSiria vakati vachiona kuti vakundwa navaIsiraeri vakaungana,
Hadhadhezeri akatuma vanhu kundotora vaSiria vakanga vari mhiri kwoRwizi, vakasvika paHeramu, vakatungamirirwa naShobhaki mukuru wehondo yaHadhadhezeri.
Dhavhidhi akaudzwa izvozvo; akaunganidza vaIsiraeri vose, vakayambuka Jorodhani, vakasvika paHeramu. VaSiria vakazvigadzira, vakarwa naDhavhidhi.
VaSiria vakatiza pamberi pavaIsiraeri; Dhavhidhi akauraya kuvaSiria varume vengoro dzina mazana manomwe, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvina makumi mana, akaurayawo Shobhaki mukuru wehondo yavo, akafirapo.
Zvino madzimambo ose akanga ari varanda vaHadhadhezeri, vakati vachiona kuti vakundwa navaIsiraeri, vakayanana navaIsiraeri, vakavashumira. Naizvozvo vaSiria vakatya kuzobatsira vana vaAmoni.

11

Zvino gore rakati rapera, panguva yokurwa kwamadzimambo, Dhavhidhi akatuma Joabhu pamwechete navaranda vake navaIsiraeri vose; vakaparadza vana vaAmoni, vakakombawo Rabha. Asi Dhavhidhi wakasara Jerusaremu.
Zvino nenguva yamadekwana, Dhavhidhi akamuka panhovo dzake, akafamba pamusoro pedenga reimba yamambo; akaona, aripo padenga, mukadzi wakanga achishamba; zvino mukadzi uyo wakanga akanaka kwazvo pakuonekwa kwake.
Dhavhidhi akatuma munhu kundobvunza kuti mukadzi uyo ndianiko? Mumwe akati, Ko haazi iye Bhatishebha mukunda waEriami, mukadzi waUriya muHiti here?
Dhavhidhi akatuma nhume kundomutora, akasvika kwaari, akavata naye (nokuti wakanga anatswa pakusanaka kwake;) iye akadzokera kumba kwake.
Mukadzi akatora mimba, akatuma shoko kuna Dhavhidhi akamuudza akati, Ndava nemimba,
Dhavhidhi akatuma shoko kuna Joabhu, akati, Tuma Uriya muHiti, auye kwandiri. Joabhu akatuma Uriya kuna Dhavhidhi.
Zvino Uriya wakati achisvika kwaari, Dhavhidhi akamubvunza kuti, Joabhu wakadini, navanhu vakadini, nokurwa kwakadini.
Zvino Dhavhidhi akati kuna Uriya, Burukira kumba kwako, undoshambidza tsoka dzako. Uriya akabva paimba yamambo, akatumirwa chipo chezvokudya namambo.
Asi Uriya wakavata pamukova weimba yamambo pamwechete navaranda vose vatenzi wake, haana kuburukira kumba kwake.
Zvino Dhavhidhi wakati achiudzwa kuti Uriya haana kuburukira kumba kwake, Dhavhidhi akati kuna Uriya, Hauna kubva kurwendo here? Waregereiko kuburukira kumba kwako?
Uriya akati kuna Dhavhidhi, Areka, navaIsiraeri, navaJudha vagere mumatumba, nashe wangu Joabhu, navaranda vashe wangu vari mumatende avo kusango; zvino ini ndingapinda seiko mumba mangu ndidye, ndivate nomukadzi wangu? Noupenyu hwenyu, uye noupenyu hwomweya wenyu, handingatongoiti chinhu ichi.
Dhavhidhi akati kuna Uriya, Gara pano nanhasi, mangwana ndichakutendera kuenda. Naizvozvo Uriya akagara Jerusaremu zuva iro neramangwana.
Ipapo Dhavhidhi akamudana, akadya nokunwa pamberi pake, akamubatisa nedoro; zvino madeko akabuda akandovata panhovo dzake navaranda vashe wake, asi haana kuburukira kumba kwake.
Zvino mangwana Dhavhidhi akanyorera Joabhu rugwaro, akarutuma noruoko rwaUriya.
Akanyora parugwaro, akati, Isa Uriya pamberi panonyanyisa kurwiwa, mumusiye ari oga, aurawe afe.
Zvino Joabhu wakati acherekedza guta, akaisa Uriya paakanga achiziva kuti varume voumhare varipo.
Vanhu veguta vakabuda kuzorwa naJoabhu, vamwe varanda vaDhavhidhi vakaurawa, naiye Uriya muHiti akafawo.
Ipapo Joabhu akatuma munhu kundoudza Dhavhidhi mashoko ose okurwa.
Akaraira nhume, akati, Kana wapedza kurondedzera kuna mambo mashoko ose okurwa,
kana kutsamwa kwamambo kukamuka, iye akati kwauri, Makaswederereiko pedo zvikuru neguta pakurwa kwenyu? Hamuna kuziva here kuti vachafura vari parusvingo?
Ndianiko wakauraya Abhimereki mwanakomana waJeribhesheti? Wakanga asiri mukadzi wakakanda huyo pamusoro pake ari parusvingo, akafira paTebhezi here? Makaswederereiko pedo zvikuru norusvingo? Ipapo iwe uti, Muranda wenyu Uriya muHiti, wafawo.
Naizvozvo nhume yakaenda, ikasvika, ikaudza Dhavhidhi zvose zvayakanga yatumirwa naJoabhu.
Nhume ikati kuna Dhavhidhi, Varume avo vakatikurira, vakabudira kwatiri kusango, tikavadzingirira kusvikira pavanopinda napo pasuo.
Vafuri vakafura varanda venyu vari parusvingo, vamwe varanda vamambo vakafa, naiye muranda wenyu Uriya muHiti wafawo.
Ipapo Dhavhidhi akati kunhume, Iti kuna Joabhu, Izvi ngazvirege kukusuwisa, nokuti munondo unoparadza mumwe pano nomumwe kumwe; tsunga hako pakurwa neguta, uriputse; newe enda undomusimbisa.
Zvino mukadzi waUriya wakati anzwa kuti murume wake Uriya wafa, akachema murume wake.
Akati apedza kuchema, Dhavhidhi akatuma nhume kumutora, akamuisa mumba make, akava mukadzi wake, akamuberekera mwana komana. Asi chinhu ichi, chakanga chaitwa naDhavhidhi, hachina kufadza Mwari.

12

Zvino Jehovha akatuma Natani kuna Dhavhidhi. Akasvika kwaari, akati kwaari, Kwakanga kuna varume vaviri muguta rimwe; mumwe wakanga akafuma, asi mumwe wakanga ari murombo.
Mufumi wakanga ana makwai nemombe zhinji kwazvo;
asi murombo wakanga asine chinhu, asi gwayana rimwe duku resheshe, raakanga atenga, akarirera; rikakura kwaari pamwechete navana vake, rikadya zvokudya zvake, nokunwira pamukombe wake, nokuvata pachifuva chake, rikafanana nomukunda wake.
Zvino mufambi wakati achisvika kumufumi, iye akaramba kutora chipfuwo kumakwai ake kana kumombe dzake, kuti achigadzirire mufambi wakanga asvika kwaari, asi wakatora gwayana romurombo, akarigadzirira munhu wakanga asvika kwaari.
Ipapo kutsamwa kwaDhavhidhi kwakamukira munhu uyu kwazvo, akati kuna Natani, NaJehovha mupenyu, munhu wakaita kudai, anofanira kufa.
Uye anofanira kuripira gwayana iro namana, zvaakaita izvozvo, uye zvaakanga asine nyasha.
Natani akati kuna Dhavhidhi, Ndiwe munhu uyo! Zvanzi naJehovha Mwari walsiraeri, Ndakakuzodza iwe kuti uve mambo waIsiraeri, ndikakurwira paruoko rwaSauro,
ndikakupa imba yatenzi vako, navakadzi vatenzi vako pachipfuva chako, ndikakupa imba yaIsiraeri neyaJudha; uye dai izvo zvisina kuringana, ndaikuwedzera zvokuti nezvokuti.
Wazvidzireiko shoko raJehovha, ukaita zvakaipa pamberi pake? Wauraya Uriya muHiti nomunondo, ukatora mukadzi wake kuti ave mukadzi wako, ukamuurayisa nomunondo wavaAmoni.
Naizvozvo zvino munondo haungabvi paimba yako nokusingaperi; nokuti wakandizvidza, ukatora mukadzi waUriya muHiti kuti ave mukadzi wako.
Zvanzi naJehovha, Ndichakumutsira zvakaipa zvichabva mumba mako, ndichatora vakadzi vako pamberi pako ndichavapa waugere naye, iye uchavata navakadzi vako masikati machena.
Nokuti iwe wakazviita pakavanda, asi ini ndichazviita pamberi pavaIsiraeri vose, ari masikati machena.
Ipapo Dhavhidhi akati kuna Natani, Ndatadzira Jehovha. Natani akati kuna Dhavhidhi, Jehovha wakanganwirawo zvivi zvako; haungafi.
Kunyange zvakadaro, zvawakabatsira kwazvo vavengi vaJehovha kumumhura nechinhu ichi chawaita, uyo mwana wawaberekerwa, zvirokwazvo uchafa.
Natani akabva, akaenda kumba kwake. Jehovha akarova mwana wakanga aberekerwa Dhavhidhi nomukadzi waUriya, akarwara kwazvo.
Naizvozvo Dhavhidhi akanyengeterera mwana kuna Jehovha, akazvinyima zvokudya, akapinda, akavata pasi usiku hwose.
Vakuru veimba yake vakasimuka, vakaenda kwaari, vakada kumumutsa pasi; asi iye wakaramba, akasadyawo zvokudya navo.
Zvino nezuva rechinomwe mwana akafa. Varanda vaDhavhidhi vakatya kumuudza kuti mwana wafa, nokuti vakati, Tarirai, mwana achiri mupenyu, takataura naye, akasateerera manzwi edu; zvino uchatambudzika seiko, kana tikamuudza kuti mwana wafa.
Asi Dhavhidhi wakati achiona kuti varanda vake vanoita zeve-zeve, Dhavhidhi akaziva kuti mwana wafa; Dhavhidhi akati kuvaranda vake, Mwana wafa here? Ivo vakati, Wafa.
Ipapo Dhavhidhi akasimuka pasi, akashamba, akazora mafuta, akafuka dzimwe nguvo, akapinda mumba maJehovha, akanamata; ipapo akaenda kumba kwake, akakumbira zvokudya, vakamupa, akadya.
Ipapo varanda vake vakati kwaari, Ndokudiniko? Achiri mupenyu makazvinyima zvokudya, mukachema mwana, asi zvino mwana wakati afa, mukasimuka mukadya zvokudya.
Iye akati, Mwana achiri mupenyu ndakazvinyima zvokudya, ndikachema, nokuti ndakati, Ndianiko ungaziva, zvimwe Mwari ungandinzwira tsitsi, mwana akararama hake?
Asi zvino wafa hake, ndichazvinyimireiko zvokudya? Ndingamudzosazve here? Ini ndichaenda kwaari, asi iye haangadzokeri kwandiri.
Dhavhidhi akanyaradza mukadzi wake Bhatishebha, akapinda kwaari, akavata naye, iye akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Soromoni. Iye akadikanwa naJehovha.
Jehovha akatuma shoko nomuromo waNatani muporofita, akamutumidza zita rinonzi Jedhidhia, nokuda kwaJehovha.
Zvino Joabhu akandorwa naRabha, guta ravana vaAmoni, akakunda muzinda.
Joabhu akatuma nhume kuna Dhavhidhi, akati, Ndandorwa neRabha, ndikakunda guta remvura.
Naizvozvo zvino, unganidzai vanhu vakasara, mudzike matende enyu paguta, murikunde, ini ndirege kuzokunda guta, rikatumidzwa zita rangu.
Dhavhidhi akaunganidza vanhu vose, vakaenda Rabha, vakarwa naro, vakarikunda.
Akabvisa korona yamambo wavo pamusoro wake; iyo yakasvika tarenda rimwe rendarama pakurema kwayo, uye yakanga ina mabwe anokosha, ikaiswa pamusoro waDhavhidhi. Akapamba zvizhinji kwazvo paguta iro.
Akabudisawo vanhu vakanga varimo, akavabatisa namajeko, nembambo dzamatare, namasanhu amatare, akavasevenzesa pakuita zvitinha; akaita saizvozvo namaguta ose avana vaAmoni. Dhavhidhi navanhu vose vakadzokera Jerusaremu.

13

Zvino shure kwaizvozvo Abhusaromu mwanakomana waDhavhidhi wakanga ane hanzvadzi yakanaka, yainzi Tamari; Amunoni mwanakomana waDhavhidhi akamuda.
Amunoni akatambudzika, akarwara pamusoro paTamari hanzvadzi yake; nokuti yakanga iri mhandara, Amunoni akaona kuti haangamuiti chinhu.
Asi Amunoni wakanga ane shamwari, yainzi Jonadhabhu mwanakomana waShimei, mukoma waDhavhidhi; zvino Jonadhabhu wakanga ari munhu waiva namano.
Iye akati kwaari, Nhandi, mwanakomana wamambo, wakawondereiko kudai mazuva ose? Haungandiudzi here? Amunoni akati kwaari, Ndinoda Tamari, hanzvadzi yomunununa wangu Abhusaromu.
Jonadhabhu akati kwaari, Vata panhovo dzako, uzviite somunhu unorwara; zvino kana baba vako vakasvika kuzokuona, uti kwavari, Ndinokumbira kuti hanzvadzi yangu Tamari auye, andipe zvokudya, ndidye, agadzire zvokudya pamberi pangu, ndizviwone, ndizvidye pamaoko ake.
Naizvozvo Amunoni akavata pasi, akazviita somunhu unorwara; zvino mambo wakati achisvika kuzomuona, Amunoni akati kuna mambo, Ndinokumbira kuti Tamari, hanzvadzi yangu auye, andibikire zvingwa zviviri ndichizviona, kuti ndidye pamaoko ake.
Dhavhidhi akatuma shoko kumusha kuna Tamari, akati, Enda zvino kumba kwaAmunoni hanzvadzi yako, umugadzirire zvokudya.
Naizvozvo Tamari akaenda kumba kwehanzvadzi yake Amunoni; iye akanga avete pasi. Akatora mukanyiwa, akaukanya, akaumba zvingwa achizviona, akabika zvingwa.
Akatora gango, akazvidurura pamberi pake; asi iye wakaramba kudya. Amunoni akati, Vanhu vose ngavabude kwandiri. Vanhu vose vakabuda kwaari.
Amunoni akati kuna Tamari, Uya nezvokudya muimba yokuvata, kuti ndidye pamaoko ako. Tamari akatora zvingwa zvaakanga abika, akauya nazvo mumba mokuvata maAmunoni hanzvadzi yake.
Zvino wakati aswedera pedo kwaari nazvo, iye akamubata, akati kwaari, Uya uvate neni, hanzvadzi yangu.
Iye akamupindura akati, Kwete, hanzvadzi yangu, usandichinya; nokuti chinhu chakadai hachifaniri kuitwa pakati pavaIsiraeri; usaita chinhu ichi chakaipa.
Neni ndichaendepiko nokunyara kwangu? Kana uriwe, uchava sebenzi pakati paIsiraeri. Naizvozvo zvino, dotaura hako namambo; nokuti ivo havangandinyimi iwe.
Asi wakaramba kuteerera inzwi rake, akaita simba naye, akamukurira, akavata naye.
Ipapo Amunoni akamuvenga nokuvenga kukuru kwazvo; nokuti kuvenga kwaakamuvenga nako, kwakapfuura rudo rwaaimuda narwo. Amunoni akati kwaari, Muka, uende.
Iye akati kwaari, Kwete, nokuti chinhu ichi chokundidzinga chikuru kunechecho chawandiitira. Asi wakaramba kumuteerera.
Zvino akadana muranda wake wakanga achimubatira, akati, Dzinga mukadzi uyu abve kwandiri, ukiye mukova kana abva.
Zvino iye wakanga ane nguvo yakareba ina maoko, nokuti vakunda vamambo, vaiva mhandara, vaifuka nguvo dzakadai. Muranda wake akamubudisa, akakiya mukova abva.
Zvino Tamari akaisa madota pamusoro wake, akabvarura nguvo yake yakareba ina maoko, akabata ruoko rwake pamusoro wake, akaenda achichema.
Abhusaromu hanzvadzi yake, akati kwaari, Amunoni hanzvadzi yako wakanga ari kwauri here? Chinyarara hako, hanzvadzi yangu; iye ihanzvadzi yako, usazvidya moyo nemhaka yechinhu ichi. Naizvozvo Tamari akagara ari oga mumba maAbhusaromu hanzvadzi yake.
Asi, mambo Dhavhidhi wakati achinzwa izvi zvose, akatsamwa kwazvo.
Asi Abhusaromu haana kutaura chinhu chakanaka kana chakaipa kuna Amunoni; nokuti Abhusaromu wakavenga Amunoni, nokuti wakanga achiva hanzvadzi yake Tamari.
Zvino makore maviri akati apfuura, Abhusaromu wakanga ana vaveuri vamakwai paBhaarihazori pedo naEfuremu; Abhusaromu akakoka vana vose vamambo.
Abhusaromu akaenda kuna mambo, akati, Tarirai zvino, muranda wenyu anavaveuri vamakwai; ndinokumbira kuti mambo navaranda vake vaende nomuranda wenyu.
Mambo akati kuna Abhusaromu, Kwete, mwana wangu, ngatirege kuenda isu tose, tirege kuzokutambudza. Akamukurudzira, asi wakaramba kuenda, akamuropafadza hake.
Zvino Abhusaromu akati, Kana musingadi henyu, ndinokumbira kuti mukoma wangu Amunoni aende nesu. Mambo akati kwaari, Iye unofanira kuendireiko newe?
Asi Abhusaromu akamukurudzira, akatendera Amunoni navamwe vana vose vamambo kuenda naye.
Zvino Abhusaromu akaraira varanda vake akati, Tarirai zvakanaka zvino, kana moyo waAmunoni wofara newaini, ini ndikati kwamuri, Urayai Amunoni! Imi munofanira kumuuraya, musatya henyu; handizini ndakakurairai here? Tsungai, muve noumhare.
Zvino varanda vaAbhusaromu vakaitira Amunoni sezvavakanga varairwa naAbhusaromu. Ipapo vanakomana vose vamambo vakasimuka, mumwe nomumwe akakwira mbongoro yake vakatiza.
Zvino vakati vachiri munzira, shoko rikasvika kuna Dhavhidhi Abhusaromu wauraya vanakomana vose vamambo, hakuna wakasara kwavari kunyangwe nomumwe.
Ipapo mambo akasimuka, akabvarura nguvo dzake, akavata pasi; navaranda vake vose vakamirapo nenguvo dzakabvarurwa.
Asi Jonadhabhu, mwanakomana waShimei, mukoma waDhavhidhi, akapindura, akati, Ishe wangu ngaarege kuti vauraya majaya ose, ivo vana vamambo; nokuti Amunoni woga ndiye wafa, nokuti Abhusaromu wakavaraira izvozvo kubva pazuva raakachiva hanzvadzi yake Tamari.
Zvino ishe wangu mambo ngaarege kuzvidya moyo pamusoro pechinhu ichi, achiti vanakomana vose vamambo vafa, nokuti Amunoni woga ndiye wafa.
Asi Abhusaromu wakatiza. Zvino jaya rakanga rakarindira rakatarira, rikaona vanhu vazhinji vachiuya nenzira yegomo mushure make.
Jonadhabhu akati kuna mambo, Tarirai, vana vamambo vasvika; zvaitika sezvakataura muranda wenyu.
Wakati apedza kutaura, vana vamambo vakasvika, vakachema kwazvo; namambowo navaranda vake vose vakachemawo kwazvo.
Asi Abhusaromu wakatiza, akaenda kuna Tarimai mwanakomana waAmihuri mambo weGeshuri. Dhavhidhi akachema mwanakomana wake mazuva ose.
Naizvozvo Abhusaromu akatiza akaenda Geshuri, akagarapo makore matatu.
moyo wamambo Dhavhidhi ukada kwazvo kuenda kuna Abhusaromu, nokuti wakanga anyaradzwa pamusoro paAmunoni, achiti wafa hake.

14

Zvino Joabhu mwanakomana waZeruya, wakaona kuti moyo wamambo wakanga uchida Abhusaromu.
Joabhu akatumira Tekoa, akatorako mukadzi wakanga akangwara, akati kwaari, Uzviite hako somuchemi, ufuke nguvo dzokuchema, usazvizora mafuta, asi uzviite somukadzi wakanguva achema wakafa;
zvino upinde kuna mambo, utaure naye zvokuti nezvokuti. Naizvozvo Joabhu akaisa mashoko mumuromo make.
Zvino mukadzi weTekoa wakati achitaura namambo, akawira pasi nechiso chake, akakotama, akati, Ndibatsirei, mambo wangu!
Mambo akati kwaari, Unonzweiko? Akapindura, akati, Zvirokwazvo, ndiri chirikadzi, murume wangu wakafa.
Murandakadzi wenyu wakanga ana vanakomana vaviri, ivo vaviri vakarwa kusango; kwakanga kusino munhu wakavanunura, mumwe akarova mumwe, akamuuraya.
Zvino tarirai, imba yose yamukira murandakadzi wenyu, vakati, Tipei uyo wakauraya munununa wake, timuuraye pamusoro poupenyu hwomunununa wake waakauraya, tiuraye nomudyi wenhakawo; naizvozvo vachadzima zimbe rangu rakasara, vakasasiyira murume wangu zita kana mumwe wakasara panyika.
Mambo akati kumukadzi, Enda hako kumba kwako, ndicharaira shoko pamusoro pako.
Mukadzi weTekoa akati kuna mambo, Ishe wangu mambo, mhosva ngaive kwandiri nokuimba yababa vangu, asi mambo nechigaro chake choushe ngazvirege kuva nemhosva.
Mambo akati, Ani nani anotaura chinhu kwauri, uya naye kwandiri, haangazokugunzvizve.
Ipapo iye akati, Mambo ngaarangarire Jehovha Mwari wenyu, kuti mutsivi weropa arege kuramba achiparadza, varege kuzoparadza mwanakomana wangu. Iye akati, NaJehovha mupenyu, ruvhudzi rumwe rwomwanakomana wako harungawiri pasi.
Zvino mukadzi akati, Murandakadzi wenyu ngaatenderwe hake kutaura shoko rimwe kunashe wangu mambo. Iye akati, Taura hako.
Mukadzi akati, Zvino makarangarireiko kuitira vanhu vaIsiraeri chinhu chakadai? Nokuti pakutaura kwenyu shoko rakadai, mambo wafanana nomunhu ane mhosva, nokuti mambo haadzoserizve kumusha kwake mwanakomana wake waakadzinga.
Nokuti tinofanira kufa, takafanana nemvura yakateurirwa pasi, isingagoni kuworerwazve; Mwari haatoreri munhu upenyu, asi unofunga mano kuti wakadzingwa arege kurashwa chose naye.
Naizvozvo zvino, ndauya ini kuzotaura shoko iri kunashe wangu mambo, nokuti vanhu vakandityisa; murandakadzi wenyu akati, Ndichataura zvino namambo; zvimwe mambo uchatenda zvinokumbirwa nomura-ndakadzi wake.
Nokuti mambo uchateerera hake, akarwira murandakadzi wake paruoko rwomunhu unoda kundiparadza ini pamwechete nomwanakomana wangu, tirege kudya nhaka yaMwari.
Zvino murandakadzi wenyu akati, Ndinokumbira kuti shoko rashe wangu mambo rive rokunyaradza; nokuti ishe wangu mambo wakafanana nomutumwa waMwari pakuziva zvakanaka nezvakaipa; Jehovha Mwari wenyu ngaave nemi.
Ipapo mambo akapindura, akati kumukadzi, Usavanzira hako shoko randinokubvunza. Mukadzi akati, Ishe wangu ngaataure hake zvino.
Mambo akati, Joabhu wakabatsirana newe pazvinhu izvi zvose here? Mukadzi akapindura, akati, Noupenyu hwomweya wangu, ishe wangu mambo, hakuna munhu ungatsauka kurudyi kana kuruboshwe pashoko rimwe rakataurwa nashe wangu mambo; nokuti muranda wenyu Joabhu ndiye wakandiraira, ndiye wakaisa mashoko awa ose mumuromo womurandakadzi wenyu.
Muranda wenyu Joabhu wakandiraira kushandura shoko iri kudai; asi ishe wangu wakangwara, nokungwara kwakafanana nokwomutumwa waMwari, nokuti munoziva zvose zviri panyika.
Ipapo mambo akati kuna Joabhu, Tarira zvino, ndatenda hangu chinhu ichi, naizvozvo chienda undotora jaya Abhusaromu.
Joabhu akawira pasi nechiso chake, akakotama, akavonga mambo. Joabhu akati, Nhasi muranda wenyu unoziva kuti ndanzwirwa nyasha nemi, ishe wangu mambo; nokuti mambo wakaita zvakumbirwa nomuranda wake.
Naizvozvo Joabhu akasimuka, akaenda Geshuri, akadzosera Abhusaromu Jerusaremu.
Mambo akati, Ngaatsaukire kumba kwake, asi ngaarege kuona chiso changu. Naizvozvo Abhusaromu akatsaukira kumba kwake, akasaona chiso chamambo.
Zvino pakati pavaIsiraeri vose kwakanga kusino munhu wairumbidzwa kwazvo saAbhusaromu pamusoro pokunaka kwake; kubva patsoka dzake kusvikira kumusoro wake kwakanga kusine chinhu chakaremara kwaari.
Nguva yaaigurira vhudzi rake, (zvino wairigurira pakupera kwegore rimwe nerimwe, nokuti vhudzi rake raimuremera, naizvozvo wairigurira), waiyera vhudzi romusoro wake, rikasvika mashekeri ana mazana maviri, achienzanisa nechiyero chamambo.
Abhusaromu akaberekerwa vanakomana vatatu nomwanasikana mu mwe, wainzi Tamari; iye waiva mukadzi wakanga ane chiso chakanaka.
Zvino Abhusaromu akagara makore maviri paJerusaremu asingaoni chiso chamambo.
Ipapo Abhusaromu akadana Joabhu, kuti amutumire kuna mambo; asi wakaramba kuuya kwaari; akatumazve rwechipiri, asi wakarambazve kuuya.
Zvino akati kuvaranda vake, Tarirai munda waJoabhu uri pedo nowangu, uye ane bhari; endai mundoupisa. Varanda vaAbhusaromu vakandopisa munda.
Joabhu akasimuka, akaenda kuna Abhusaromu kumba kwake, akati kwaari, Varanda vako vapisireiko munda wangu?
Abhusaromu akapindura Joabhu akati, Tarira, ndakatuma shoko kwauri, ndichiti, Uya pano, ndikutume kuna mambo, undoti Ndakabvireiko Geshuri? Zvaiva zviri nani kuti ndivepo nazvino; naizvozvo zvino nditendere ndiwone chiso chamambo; kana ndine mhosva, ngaandiuraya hake.
Naizvozvo Joabhu akaenda kuna mambo, akamuudza; ivo vakadana Abhusaromu, akasvika kuna mambo, akakotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo, mambo akatsvoda Abhusaromu.

15

Zvino shure kwaizvozvo Abhusaromu akazvigadzirira ngoro namabhiza navarume vana makumi mashanu kuti vamhanye pamberi pake.
Abhusaromu waimuka mangwanani, akandomira parutivi rwenzira pasuo; zvino kana kuchinge kuno munhu wakanga ouya kuna mambo kuzotambirwa mhosva yake, Abhusaromu ndokumudana, akati, Uri weguta ripiko? Kana akati, Muranda wenyu unobva kuno rumwe rwamarudzi aIsiraeri,
Abhusaromu waiti kwaari, Tarira, mashoko ako akanaka, akarurama hawo, asi hakuna munhu wakatumwa namambo kuzokunzwa.
Uye Abhusaromu akatiwo, Dai ini ndichiitwa mutongi panyika, kuti ani nani anenge ane mhaka kana shoko auye kwandiri, ini ndimururamisire.
Zvino kana ani nani akaswedera kuzopfugama pamberi pake, iye waitambanudza ruoko rwake, achimubata, achimutsvoda.
Zvino Abhusaromu waiita nomutowo uyu navaIsiraeri vose vaiuya kuna mambo kuzotambirwa mhosva dzavo; naizvozvo Abhusaromu akanyengera moyo yavanhu vaIsiraeri kuti imude.
Zvino makore mana akati apfuura, Abhusaromu akati kuna mambo, Nditenderei henyu ndiende Hebhuroni, ndindoripira kupika kwangu kwandakapikira Jehovha.
Nokuti muranda wenyu wakapika mhiko ndichigere Geshuri paSiria, ndikati, Zvirokwazvo, kana Jehovha akandidzosera Jerusaremu, ndichanamata Jehovha.
Mambo akati, Chienda hako norugare. Naizvozvo akasimuka, akaenda Hebhuroni.
Asi Abhusaromu wakatuma vashori pakati pamarudzi ose aIsiraeri, akati, Kana mukanzwa kurira kwehwamanda, ipapo muti, Abhusaromu ndimambo paHebhuroni.
Zvino Abhusaromu akaperekedzwa navarume vana mazana maviri veJerusaremu, vakanga vakokwa; ivo vakaenda havo vakafara vasingazivi chinhu.
Abhusaromu akatuma munhu kundodana Ahitoferi muGironi, gurukota raDhavhidhi, paguta rake Giro, panguva yakanga achibayira zvibayiro. Kurangana uku kukava nesimba, nokuti vanhu vakaramba vachiwanda kuna Abhusaromu.
Zvino nhume yakasvika kuna Dhavhidhi, ikati, moyo yavarume vaIsiraeri yotevera Abhusaromu.
Ipapo Dhavhidhi akati kuvaranda vake vose vakanga vanaye paJerusaremu, Simukai, titize nokuti kana tikasadaro, hapana mumwe wedu ungapukunyuka kuna Abhusaromu; kurumidzai tiende, arege kutibata pakarepo, atiitire zvakaipa, nokuparadza guta nomunondo unopinza.
Varanda vamambo vakati kuna mambo, Tarirai, varanda venyu vakamirira kuita zvose zvinodikanwa naishe wedu mambo.
Mambo akabuda, vose veimba yake vakamutevera. Mambo akasiya vakadzi vane gumi, vaiva varongo, kuti vachengete imba.
Mambo akabuda navanhu vose vakamutevera, vakandomira paBhetimaerihaki.
Varanda vake vose vakapfuura kurutivi rwake, navaKereti vose, navaPereti vose, navaGiti vose, varume vana mazana matanhatu vakanga vamutevera vachibva Gati, vakatungamirira pamberi pamambo.
Mambo akati kuna Itai muGiti, Iwe unoendireiko nesu? Dzoka hako, ugare namambo, nokuti iwe uri mutorwa wakadzingwa; dzokera kunyika yako.
Iwe uchangosvika zuro, zvino ini ndichakufambisa-fambisa seiko nesu, zvandisingazivi ini kwandinoenda? Dzoka hako, udzokewo nehama dzako; nenyasha nezvokwadi ngazvive newe.
Itai akapindura mambo akati, NaJehovha mupenyu zvirokwazvo, panondogara ishe wangu mambo, kana kufirapo kana kuraramirapo, ndipo pachava nemuranda wenyuwo.
Dhavhidhi akati kuna Itai, Chienda hako, uyambuke. Itai muGiti akayambuka, navanhu vake vose, navana vaduku vose vakanga vanaye.
Vanhu venyika yose vakachema nenzwi guru, vanhu vose vakayambuka; naiye mambo amene akayambukawo rukova Kidhoroni, navanhu vose vakayambukawo vakaenda nenzira yokurenje.
Zvino Zadhoki akasvikawo navaRevhi vose vanaye, vakatakura areka yesungano; vakagadzika areka yaMwari pasi, Abhiatari akakwirawo, kusvikira vanhu vose vapedza kubuda paguta.
Ipapo mambo akati kuna Zadhoki, Dzoserai areka yaMwari muguta; kana Jehovha akandinzwira nyasha, uchandidzosazve, akandiwonesa iyo nenzvimbo yayozve.
Asi kana akati, Handifari newe; tarirai, ndiri pano hangu, ngaandiitire sezvaanoda.
Mambo akati kuna Zadhoki mupirisiti, Iwe hauzi Muvoni here? Dzokera muguta norugare, iwe navanakomana vako vaviri vaunawo, mwanakomana wako Ahimaazi, naJonatani mwanakomana waAbhiatari.
Tarira, ini ndichandomira pamazambuko erenje, kusvikira shoko rinobva kwauri rasvika, kundizivisa.
Naizvozvo Zadhoki naAbhitari vakadzosera areka yaMwarizve Jerusaremu; ivo vakagarapo.
Dhavhidhi akakwira nokumukwidza wegomo reMiorivhi, akafamba achingochema, akafukidza musoro wake, akafamba asine shangu, navanhu vose vakanga vanaye vakafukidza misoro yavo, vakakwira, vakangochema pakukwira kwavo.
Zvino mumwe akaudza Dhavhidhi, akati, Ahitoferi unoranganawo navamwe naAbhusaromu. Dhavhidhi akati, Haiwa Jehovha, shandurai henyu mashoko aAhitoferi, ave mashoko oupenzi.
Zvino Dhavhidhi wakati asvika kumusoro kwainamatwa Mwari, akaona Hushai muAriki osangana naye, nguvo dzake dzakabvarurwa nevhu pamusoro wake.
Dhavhidhi akati kwaari, Kana iwe ukapfuura neni, uchandiremedza;
asi kana ukadzokera kuguta, ukandoti kuna Abhusaromu, Ndichava muranda wenyu, mambo; sezvandaiva muranda wababa venyu kare, saizvozvo ndichava muranda wenyu zvino; ipapo ungandikundira mano aAhitoferi.
Zadhoki naAbhiatari vapirisiti, havazipo newe here? Naizvozvo zvose zvaunonzwa mumba mamambo, uudze Zadhoki naAbhiatari vapirisiti izvozvo.
Tarira, vana vavanakomana vavo vaviripo, Ahimaazi mwanakomana waZadhoki, naJonatani mwanakomana waAbhiatari; zvino unditumire navo zvose zvauchanzwa.
Naizvozvo Hushai, shamwari yaDhavhidhi, akaenda kuguta; naAbhusaromu akapinda Jerusaremu.

16

Zvino Dhavhidhi wakati apfuura musoro wegomo zvishoma akaona Zibha, muranda waMefibhosheti osangana naye, ane mbongoro mbiri dzakanga dzatakudzwa zvingwa zvina mazana maviri, namasumbu amazambiringa akawomeswa ane zana, nemichero yezhezha ine zana, nehomo yewaini.
Mambo akati kuna Zibha, Unodiniko nezvizvi? Zibha akati, Mbongoro ndinopa veimba yamambo kuti vatasve; zvingwa nemichero yezhezha ndizvo zvokudya zvamajaya, newaini kuti vanoziya murenje vanwe.
Mambo akati, Mwanakomana washe wako uripiko? Zibha akati kuna mambo, Tarirai, wakasara Jerusaremu, nokuti wakati, Nhasi imba yaIsiraeri vachandidzosera ushe hwababa vangu.
Ipapo mambo akati kuna Zibha, Tarira, zvose zvaMefibhosheti ndezvako. Zibha akati, Ndinokotamira pasi; ndinzwirei nyasha, ishe wangu mambo.
Zvino mambo Dhavhidhi wakati asvika paBhahurimu, mumwe munhu weimba yaSauro, wainzi Shimei, mwanakomana waGera, akabudapo;
akabuda, akafamba achingotuka, akaposhera Dhavhidhi namabwe, navaranda vose vamambo Dhavhidhi; zvino vanhu vose navarume vose vesimba vakanga vari kurudyi rwake no kuruboshwe rwake.
Shimei akatuka akati, Chibva, chibva, iwe munhu weropa, iwe munhu wakaisvoipa;
Jehovha wakadzosera pamusoro pako ropa rose reimba yaSauro, wawakanga wakabata ushe panzvimbo yake. Jehovha wakapa ushe muruoko rwaAbhusaromu mwanakomana wako; tarira, wabatwa nezvakaipa zvako, nokuti uri munhu weropa.
Ipapo Abhishai mwanakomana waZeruya akati kuna mambo, Imbwa iyi yakafa ingatuka seiko ishe wangu mambo? Nditenderei henyu ndiyambukire mhiri, ndimugure musoro.
Mambo akati, Ndine mhosva yeiko nemi, imi vana vaZeruya; ngaatuke hake, kana Jehovha achinge ati kwaari, Tuka Dhavhidhi, ndianiko ungati, Waitireiko kudai?
Dhavhidhi akati kuna Abhishai, nokuvaranda vake vose, Tarirai, iye mwanakomana wangu wandakabereka, unotsvaka kundiuraya; ndoda zvino muBhenjamini uyu! Muregei, ngaatuke hake, nokuti Jehovha wakamuraira.
Zvimwe Jehovha uchaona zvakaipa zvandakaitirwa, zvimwe Jehovha uchandiitira zvakanaka pamusoro pokundituka kwake nhasi.
Naizvozvo Dhavhidhi navanhu vake vakaramba vachifamba havo nenzira, Shimei akaramba achifamba nomujinga megomo pakatarisana naDhavhidhi, akafamba achingotuka nokumuposhera namabwe, nokumupfumburira guruva.
Mambo navanhu vose vakanga vanaye vakasvika vaneta, vakazororapo.
Abhusaromu navanhu vose, ivo varume vaIsiraeri, vakasvika Jerusaremu, Ahitoferi anayewo.
Zvino Hushai muAriki, shamwari yaDhavhidhi, wakati asvika kuna Abhusaromu, Hushai akati kuna Abhusaromu, Mambo ngaararame, mambo ngaararame!
Abhusaromu akati kuna Hushai, Ndizvo zvakanaka zvaunoitira shamwari yako? Wakaregereiko kuenda neshamwari yako?
Hushai akati kuna Abhusaromu, Kwete, asi wakatsaurwa naJehovha uye vanhu ava, uye navarume vose vaIsiraeri, ndiye wandichava wake, ndiye wandichagara naye.
Uye ndingafanira kushumira aniko? Handifaniri kushumira mwanakomana wake here? Sezvandakashumira baba venyu, ndichakushumiraiwo imi saizvozvo.
Ipapo Abhusaromu akati kuna Ahitoferi, Tipei zano rako, tinofanira kuiteiko?
Ahitoferi akati kuna Abhusaromu, Pindai kuvarongo vababa venyu vavakasiya, kuti vachengete imba; ipapo vaIsiraeri vose vachanzwa kuti mosemwa nababa venyu; ipapo maoko avose vamunavo achasimbiswa.
Naizvozvo vakadzikira Abhusaromu tende pamusoro peimba, Abhusaromu akapinda kuvarongo vababa vake vaIsiraeri vose vachizviona.
Zvino mano aAhitoferi aakapa mazuva iwayo, akanga akaita samashoko akabvunzwa kuna Mwari; ndizvo zvakanga zvakaita mano aAhitoferi aakapa Dhavhidhi naAbhusaromu vose.

17

Zvino Ahitoferi wakati kuna Abhusaromu, Nditenderei zvino nditsaure varume vane zviuru zvine gumi nezviviri, ndisimuke, nditeverere Dhavhidhi usiku hwuno;
ndimuvambe akaneta, asine simba, ndimutyise, vanhu vose vaanavo vatize; ini ndichauraya mambo oga.
Ipapo ndichadzosera vanhu vose kwamuri; kana mawana munhu mumwe wamunotsvaka, vanhu vose vachadzoka; naizvozvo vanhu vose vachava norugare.
Shoko iro rakafadza Abhusaromu navakuru vose vaIsiraeri.
Ipapo Abhusaromu akati, Danai Hushai muArikiwo, tinzwe zvaanotaura.
Hushai wakati asvika kuna Abhusaromu, Abhusaromu akataura naye akati, Ahitoferi wataura zvokuti nezvokuti; zvino toita sezvaakataura here? Kana tisingafaniri kudaro, taura iwe.
Hushai akati kuna Abhusaromu, Zano ramapiwa nguva ino naAhitoferi harina kunaka.
Hushai akawedzera, akati, Munoziva baba venyu navanhu vavo, kuti vanhu voumhare, zvino vane shungu pamoyo pavo, sebere ratorerwa vana varo kusango; baba venyu munhu wokurwa, havangavati navanhu.
Tarirai, zvino vandovanda pabako, kana pamwe; zvino kana vamwe vakatanga kuurawa, aninani unonzwa uchati, Vanhu, vanotevera Abhusaromu, vourawa.
Ipapo kunyange munhu wemhare, ano moyo wakafanana noweshumba, uchawora moyo, nokuti vaIsiraeri vose vanoziva kuti baba venyu imhare, naivo vavanavo vanhu voumharewo.
Zvino zano rangu ndiro, kuti vaIsiraeri vose vaunganidzwe kwamuri, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha, vawande sejecha riri pagungwa; nemiwo muende mumene kuhondo.
Naizvozvo tichamuvamba paanenge achiwanikwa, tigomhara pamusoro pake somumharire weveta pasi; hatingasiyi kunyange mumwe wavo, kunyange ivo kunyange vanhu vavanavo.
Uye, kana vakapinda muguta, vaIsiraeri vose vangauya namabote kuguta iro, tirikwevere murwizi, kusvikira pachishaikwa kunyange ibwe rimwe duku.
Ipapo Abhusaromu navarume vose vaIsiraeri vakati, Zano raHushai muAriki rakanaka kukunda zano raAhitoferi. Nokuti Jehovha wakanga atema kuti zano rakanaka raAhitoferi rikoneswe, kuti Jehovha apinze Abhusaromu panjodzi.
Zvino Hushai akati kuna Zadhoki nokuna Abhiatari vapirisiti, Ahitoferi wakapa Abhusaromu navakuru vaIsiraeri zano rokuti nerokuti, asi ini ndakavapa zano rokuti nerokuti.
Naizvozvo zvino, tumai munhu pakarepo, audze Dhavhidhi, ati, Regai kuvata usiku hwuno kumazambuko erenje, asi munofanira kuyambuka, kuti mambo arege kumedzwa navanhu vose vaanavo.
Zvino Jonatani naAhimazi vakanga vari paEnirogeri; murandakadzi akaenda kundovaudza ivo vakandoudza mambo Dhavhidhi, nokuti havazaifanira kuonekwa vachipinda paguta.
Asi mumwe mukomana wakavaona, akandoudza Abhusaromu; ivo vaviri vakakurumidza kuenda, vakasvika paimba yomumwe munhu paBhahurimu; iye wakanga ane tsime paruvazhe rwake, ivo vakaburukiramo.
Mukadzi akatora chokufukidzira nacho, akachiwarira pamusoro pomuromo wetsime, akanika zviyo zvakatswiwa pamusoro pacho; hakune chinhu chakazozikanwa.
Zvino varanda vaAbhusaromu vakasvika kumukadzi kumba, vakati, Ahimaazi naJonatani varipiko? Mukadzi akati kwavari, Vayambuka rukova. Ivo vakavatsvaka, vakavashaiwa, vakadzokera Jerusaremu.
Zvino vakati vabva, ivo vakabuda mutsime, vakandoudza mambo Dhavhidhi; vakati kuna Dhavhidhi, Simukai, mukurumidze kuyambuka mvura, nokuti Ahitoferi wakapa zano rokuti nerokuti pamusoro penyu.
Dhavhidhi akasimuka, navanhu vose vaakanga anavo, vakayambuka Jorodhani; kwakati kwoedza mangwanani, kwakanga kusino mumwe wavo wakanga achigere kuyambuka Jorodhani.
Zvino Ahitoferi wakati achiona kuti vakanga vasine hanya nezano rake, akaisa chigaro pamusoro pembongoro yake, akasimuka, akaenda kumba kwake kuguta rake, akaraira vose veimba yake, akazvisungirira, akafa, akavigwa muhwiro hwababa vake.
Zvino Dhavhidhi akasvika Mahanaimu. Abhusaromu akayambuka Jorodhani, iye navarume vose valsiraeri, vaakanga anavo.
Abhusaromu akagadza Amasa ave mutungamiriri wehondo panzvimbo yaJoabhu. Amasa wakanga ari mwanakomana womunhu wainzi Jitira mulsiraeri, wakanga apinda kuna Abhigairi, mukunda waNahashi, munununa waZeruya, amai vaJoabhu.
VaIsiraeri naAbhusaromu vakadzika matende avo panyika yeGiriyadhi.
Zvino Dhavhidhi wakati achisvika paMahanaimu, Shobhi mwanakomana waNahashi weRabha, wavana vaAmoni, naMakiri mwanakomana waAmieri weRodhebhari, naBharizirai muGiriyadhi weRogerimi,
vakauya nenhovo, nehari, nemidziyo yevhu, nezviyo, nebhari, noupfu, nezviyo zvakakangwa, nenyimo, nenyemba, nezvakakangwa,
nouchi, namafuta, namakwai, namapundu omukaka, kuti Dhavhidhi navanhu vose vaakanga anavo vadye; nokuti vakati, Vanhu vane nzara, vaneta, vane nyota murenje.

18

Zvino Dhavhidhi akaverenga vanhu vaakanga anavo, akagadza vakuru vezviuru navakuru vamazana pamusoro pavo.
Dhavhidhi akatuma vanhu, chetatu chavo vachirairwa naJoabhu, nechetatu chavo vachirairwa naAbhishai mwanakomana waZeruya, munununa waJoabhu, nechatatu chavozve vachirairwa naItai muGiti. Mambo akati kuvanhu, Zvirokwazvo, neniwo ndimene ndichaenda nemi.
Asi vanhu vakati, Hamungaendi, nokuti kana tikatiza isu, havangavi nehanya nesu; kunyange hafu yavanhu vedu vakaurawa havangavi nehanya nesu; asi imi makafanana navanhu vedu vane zviuru zvine gumi; naizvozvo zviri nani kuti mugare makazvigadzira kuzotibatsira muri muguta.
Mambo akati kwavari, Ndichaita sezvamunofunga. Mambo akandomira kurutivi rwesuo vanhu vose vakabuda vachiita mazana-mazana nezviuru-zviuru.
Zvino mambo akaraira Joabhu naAbhishai naItai, akati, nzwirai henyu jaya nyasha, iye Abhusaromu, nokuda kwangu. Vanhu vose vakanzwa mambo achiraira vakuru vose pamusoro paAbhusaromu.
Zvino vanhu vakabudira kusango kundorwa naIsiraeri, vakarwa mudondo raEfuremu.
Vanhu vaIsiraeri vakakundwapo pamberi pavaranda vaDhavhidhi, vakauraya vanhu vazhinji-zhinji zuva iro vakasvika zviuru zvina mazana maviri.
Nokuti kurwa kwakapararira panyika yose, dondo rikaparadza vanhu vazhinji kukunda vakaparadzwa nomunondo.
Zvino Abhusaromu akasangana navaranda vaDhavhidhi. Abhusaromu wakanga akatasva hesera rake, hesera rikapinda napasi pamatavi makobvu omuoki mukuru, musoro wake ukabatwa pamuoki, iye ndokurembera pakati pedenga napasi; hesera raakanga akatasva rikaramba richifamba.
Zvino mumwe murume akazviona, akandoudza Joabhu, akati, Tarira, ndaona Abhusaromu akarembera mumuoki.
Joabhu akati kumunhu wakamuudza, Wakazviona, ukaregereiko kumubaya ipapo? Ndingadai ndakakupa masirivha ane gumi nebhanhire.
Murume akati kuna Joabhu, Kunyange ndikapiwa masirivha ane chiuru muruoko rwangu, handingatambanudziri ruoko rwangu kumwanakomana wamambo, nokuti mambo wakaraira imi naAbhishai naItai, isu tichizvinzwa, akati, Chenjerai kuti kusava nomunhu unogunzva jaya, iye Abhusaromu.
Dai ndakanga ndamuuraya pakavanda (hakune shoko rinovanzirwa mambo), imi mungadai mandiregera.
Ipapo Joabhu akati, Handigoni kunonoka kudai newe pano. Zvino akatora mapfumo matatu muruoko rwake, akabaya Abhusaromu nawo pamoyo, achiri mupenyu mukati momuoki.
Ipapo majaya ane gumi, aibata nhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu, akakomba Abhusaromu, akamubaya, akamuuraya.
Zvino Joabhu akaridza hwamanda, vanhu vakadzoka pakuteverera vaIsiraeri, nokuti Joabhu wakadzivisa vanhu.
Vakatora Abhusaromu, vakamukanda mugomba mudondo, vakatutira pamusoro pake murwi mukuru wamabwe; vaIsiraeri vose vakatizira murenje mumwe nomumwe kutende rake.
Zvino Abhusaromu achiri mupenyu wakanga atora shongwe akazvimutsira iyo pamupata wamambo, nokuti wakati, Handina mwanakomana ungayeudza vanhu zita rangu; akatumidza shongwe iyo zita rake, rikanzi shongwe yokuyeudzira Abhusaromu kusvikira nhasi. Dhavhidhi anochema Abhusaromu
Zvino Ahimaazi mwanakomana waZadhoki, akati, Regai ndimhanye zvino ndindoudza mambo shoko iri, kuti Jehovha wakamutsiva kuvavengi vake.
Joabhu akati kwaari, Iwe haungaendi neshoko nhasi, asi ungaenda neshoko rimwe zuva; asi nhasi haungaendi neshoko, nokuti mwanakomana wamambo wafa.
Zvino Joabhu akati kumuKushi, Enda iwe undoudza mambo zvawaona. MuKushi akakotamira pasi pamberi paJoabhu, akamhanya.
Ahimaazi mwanakomana waZadhoki akatizve kuna Joabhu, Kunyange zvakadaro hazvo, nditendere ndimhanye neniwo, nditevere muKushi. Joabhu akati, Unoda kumhanyireiko, mwana wangu, nokuti haungapiwi mubayiro pamusoro peshoko?
Iye akati, Kunyange zvakadaro hazvo, ndichamhanya hangu. Akati kwaari, Mhanya hako. Ipapo Ahimaazi akamhanya nenzira yomubani, akapfuura muKushi.
Zvino Dhavhidhi wakanga agere pakati pamasuo maviri, nharirire ikakwira padenga resuo parusvingo rweguta, akatarira, akaona murume achimhanya ari oga.
Nharirire ikadanidzira, ikaudza mambo. Mambo akati, Kana ari oga, ane shoko mumuromo make Akaramba achifamba, akaswedera.
Nharirire ikaona mumwe munhuzve achimhanya; nharirire ikadanidzira kumutariri wesuo, ikati, Tarira, kuno mumwe munhuzve unomhanya ari oga. Mambo akati, Naiye unouya neshoko.
Nharirire ikati, Ndinofunga kuti kumhanya kwowokutanga kwakafanana nokumhanya kwaAhimaazi mwanakomana waZadhoki. Mambo akati, Iye munhu wakanaka, unouya neshoko rakanaka.
Ahimaazi akadanidzira akati kuna mambo, Rugare! Akakotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo, akati, Jehovha Mwari wenyu ngaakudzwe, wakaisa kwamuri vanhu vakanga vatambanudzira maoko avo kunashe wangu mambo.
Mambo akati, Ko jaya, iye Abhusaromu, wakafara here? Ahimaazi akapindura, akati, Pakutumwa kwomuranda wenyu, iyeni muranda wenyu, naJoabhu, ndakaona nyongano huru, asi ndakanga ndisingazivi kuti chinyiko.
Mambo akati, Tsauka, umire pano. Akatsauka, akaramba amirepo.
Zvino muKushi akasvika. MuKushi akati, Ndine shoko kunashe wangu mambo; nokuti Jehovha wakakutsivai nhasi kuna vose vakanga vakumukirai.
Mambo akati kumuKushi, Ko jaya, iye Abhusaromu, wakafara here? MuKushi akapindura akati, Vavengi vashe wangu mambo, navose vanokumukirai, ngavave sejaya iro.
Mambo akavhunduka kwazvo, akakwira kukamuri yakanga iri pamusoro pesuo, akachema; akaramba achifamba, achiti, Haiwa, mwana wangu Abhusaromu! Ndingadai ndakafa hangu panzvimbo yako, haiwa Abhusaromu, mwana wangu, mwana wangu!

19

Zvino Joabhu akaudzwa, zvichinzi Tarira, mambo unochema nokuungudzira Abhusaromu.
Naizvozvo kukunda kwezuva iro kwakashandurwa kukava kuchema kwavanhu vose, nokuti vanhu vakanzwa zuva iro zvichinzi, Mambo unochema mwanakomana wake.
Vanhu vakapinda muguta zuva iro vachiverevedza, savanhu vanonyara kana vachitiza kurwa.
Mambo akafukidza chiso chake, mambo akachema nenzwi guru, achiti, Haiwa, mwana wangu Abhusaromu, Abhusaromu, mwana wangu, mwana wangu!
Ipapo Joabhu akapinda mumba kuna mambo, akati, Nhasi manyadza zviso zvavaranda venyu vose vakaponesa upenyu hwenyu nhasi, noupenyu hwavanakomana navanasikana venyu, noupenyu hwavakadzi venyu, noupenyu hwavarongo venyu;
nokuti munoda ivo vanokuvengai, muchivenga vanokudai. Nokuti makatiratidza nhasi, kuti hamuna hanya namachinda navaranda, nokuti nhasi ndaona, kuti Abhusaromu akanga achiri mupenyu, nesu tose takafa hedu nhasi, maifarira izvozvo.
Naizvozvo zvino simukai, mubude, mundotaura navaranda venyu, muvanyaradze; nokuti ndinokupikirai naJehovha, kuti kana musingabudi, hakuna munhu ungasara nemi usiku hwuno; izvozvo zvingava zvakaipa kwamuri kukunda zvakaipa zvose zvakakuwirai kubva pawuduku hwenyu kusvikira zvino.
Ipapo mambo akasimuka, akandogara pasuo. Vakaudza vanhu vose, vachiti, Tarirai, mambo ugere pasuo; vanhu vose vakauya pamberi pamambo. Dhavhidhi anodzokera Jerusaremu Zvino vaIsiraeri vose vakanga vatizira mumwe nomumwe kutende rake.
Asi vanhu vose vakanga vachiita bope kumarudzi ose avaIsiraeri, vachiti, Mambo wakatirwira pamaoko avavengi vedu, akatiponesa pamaoko avaFirisitia, zvino wabva panyika achitiza Abhusaromu.
Asi Abhusaromu watakanga tazodza kuti ave mambo wedu, wafa pakurwa. Zvino munoregereiko kutaurirana kudzosa mambo?
Zvino mambo Dhavhidhi wakatuma nhume kuna Zhadhoki naAbhiatari vapirisiti, akati, Taurai kuvakuru vaJudha, muti, Imi munononokereiko kudzosa mambo kumba kwake? Nokuti mambo wakanzwa kuti vaIsiraeri vose vanotaura kuti adzoswe kumba kwake.
Imi muri hama dzangu, muri mapfupa angu nenyama yangu, zvino munononokerei kudzosa mambo?
Zvino muti kuna Amasa, Iwe hauzi pfupa rangu nenyama yangu here? Mwari ngaandirove, arambe achidaro, kana iwe usingazovi mukuru wehondo nguva yose pamberi pangu panzvimbo yaJoabhu.
Akarereudza moyo yavanhu vose vaJudha somoyo womunhu mumwe; naizvozvo vakatuma shoko kuna mambo, vakati, Dzokai, imi navaranda venyu vose.
Naizvozvo mambo akadzoka akasvika paJorodhani VaJudha vakasvika paGirigari, vakasangana namambo, vakayambusa mambo Jorodhani.
Zvino Shimei mwanakomana waGera, muBhenjamini, wakanga agere Bhahurimu, wakakurumidza akaburuka navarume vaJudha kundosangana namambo Dhavhidhi.
Iye waiva navarume veBhenjamini vane chiuru chimwe, naZibha, muranda weimba yaSauro, navanakomana vake vane gumi navashanu, navaranda vake vane makumi maviri; ivo vakayambuka Jorodhani pamberi pamambo.
Igwa rikaenda kundoyambusa veimba yamambo, nokuita sezvavaida. Ipapo Shimei mwanakomana waGera wakazviwisira pasi pamberi pamambo, iye akayambuka Jorodhani.
Akati kuna mambo, Ishe wangu ngaarege kundipa mhaka; regai henyu kurangarira kutadza kwomuranda wenyu zuva riya rokubuda kwashe wangu paJerusaremu; mambo ngaarege hake kurangarira izvozvo pamoyo pake.
Nokuti muranda wenyu unoziva kuti ndakatadza; naizvozvo tarirai, nhasi ndauya ndichitangira vose veimba yaJosefa, ndakaburuka kuzosangana nashe wangu mambo.
Asi Abhishai mwanakomana waZeruya, akapindura akati, Shimei haafaniri here kuurawa pamusoro pechinhu ichi, nokuti wakatuka muzodzwa waJehovha?
Dhavhidhi akati, Ndine mhosva yeiko nemi, imi vanakomana vaZeruya, zvamunoda kuva vavengi vangu nhasi? Kungaurawa munhu mumwe waIsiraeri nhasi here? Munoti handizivi here kuti ndiri mambo waIsiraeri nhasi?
Mambo akati kuna Shimei, Haungafi. Mambo akapika kwaari.
Zvino Mefibhosheti mwanakomana waSauro wakaburuka kuzosangana namambo; asi iye wakanga asina kushambidza tsoka dzake, kana kupetura ndebvu dzake, kana kusuka nguvo dzake, kubva pazuva rakaenda mambo kusvikira zuva raakadzoka naro norugare.
Zvino wakati asvika Jerusaremu kuzosangana namambo, mambo akati kwaari, Wakaregereiko kuenda neni, Mefibhosheti?
Iye akapindura akati, Ishe wangu mambo, muranda wangu wakandinyengera; nokuti muranda wenyu wakati, ndichazviisira chigaro pambongoro, ndiitasve, ndiende namambo, nokuti muranda wenyu chirema.
Iye akandochera muranda wenyu kunashe wangu mambo; asi ishe wangu mambo wakafanana nomutumwa waMwari, naizvozvo itai henyu sezvamunoda.
Nokuti vose veimba yababa vangu vaifanira kuurawa nashe wangu mambo; kunyange zvakadaro makagadza muranda wenyu pakati pavaidya patafura yenyu. Ini ndichine simba reiko rokuchema naro kuna mambo?
Mambo akati kwaari, Ucharamba uchitaureiko? Ndinoti, Iwe naZibha govanai nyika.
Mefibhosheti akati kuna mambo, Iye ngaatore hake zvose, ishe wangu mambo zvaakadzokera kumba kwake norugare.
NaBharizirai muGiriyadhi wakaburukawo achibva Rogerimi, akayambuka Jorodhani namambo, kuzomuperekedzera mhiri kwaJorodhani.
Zvino Bharizirai wakanga ari mutana kwazvo, wakanga asvika makore makumi masere; wakanga avigira mambo zvokudya panguva yokugara kwake paMahanaimi, nokuti wakanga akafuma kwazvo.
Mambo akati kuna Bharizirai, Hendei, tiyambuke tose, ini ndichakuraramisa kwandiri paJerusaremu.
Bharizirai akati kuna mambo, Makore oupenyu hwangu achava manganiko, kuti ndikwire Jerusaremu namambo?
Nhasi ndava namakore makumi masere; ini ndichagona kutsaura zvakanaka kune zvakaipa here? Muranda wenyu uchagona kuravira zvakanaka zvaanodya kana zvaanonwa here? Ndichagona kunzwa manzwi avarume navakadzi kana vachiimba here? Muranda wenyu ucharemedzereiko ishe wangu mambo?
Muranda wenyu wakanga achingoda hake kuyambuka Jorodhani namambo; zvino mambo ungandiripira izvozvo nomubayiro wakadai seiko?
Regai, muranda wenyu adzoke hake, ndinofira hangu muguta rangu, pamarinda ababa vangu namai vangu; asi hoyo muranda wenyu Chimhamu, iye ngaayambuke nashe wangu mambo, mugomuitira iye sezvamunoda.
Mambo akapindura akati, Chimhamu uchayambuka neni, ini ndichamuitira iye sezvaunoda iwe; zvose zvaunoreva kwandiri ndichakuitira izvo.
Vanhu vose vakayambuka Jorodhani, naiye mambo akayambukawo; mambo akatsvoda Bharizirai akamuropafadza, iye akadzokera kumusha kwake.
Naizvozvo mambo akayambukira Girigari, Chimhamu akayambuka naye, navanhu vose vaJudha vakayambusa mambo, uyewo hafu yavanhu vaIsiraeri.
Zvino varume vose vaIsiraeri vakauya kuna mambo, vakati kuna mambo, Hama dzedu, varume vaJudha, vakakubireiko, vakayambusa mambo naveimba yake Jorodhani, pamwechete navarume vose vaDhavhidhi?
Varume vose vaJudha vakapindura varume vaIsiraeri, vakati, Nokuti mambo ihama yedu yomumba; matsamwireiko nemhaka iyi? Ko isu takatongodya zvamambo here? Iye wakatongotipa chipo here?
Varume vaIsiraeri vakapindura varume vaJudha, vakati, Isu tine migove ine gumi kuna mambo, naDhavhidhi ndowedu kukunda imi; zvino imi makatizvidzireiko, zvamusina kutanga kurangana nesu pamusoro pokudzosa mambo wedu? Asi mashoko avarume vaJudha akanga achityisa kukunda mashoko avarume vaIsiraeri.

20

Zvino kwakanga kuripo munhu wakaipa, wainzi Shebha, mwanakomana waBhikiri, muBhenjamini; iye akaridza hwamanda, akati, Isu hatina mugove kuna Dhavhidhi, uye hatina nhaka kumwanakomana waJese; vaIsiraeri, mumwe nomumwe ngaaende kutende rake.
Naizvozvo varume vose vaIsiraeri vakarega kutevera Dhavhidhi, vakatevera Shebha mwanakomana waBhikiri; asi varume vaJudha vakanamatira mambo wavo, kubva paJorodhani kusvikira paJerusaremu.
Dhavhidhi akasvika kumba kwake Jerusaremu, mambo akatora vakadzi vane gumi, ivo varongo vake vaakanga asiya kuti varinde imba, akavaisa panzvimbo pavangachengetwa, akavatumira zvokudya, asi haana kupinda kwavari. Naizvozvo vakapfigirwa kusvikira pazuva rokufa kwavo, vakagara sechirikadzi.
Zvino mambo akati kuna Amasa, Ndikokere varume vaJudha vaungane namazuva matatu; newe uve panowo.
Naizvozvo Amasa akaenda akakokera varume vaJudha, asi wakanonoka akadarika nguva yaakanga atarirwa naye.
Dhavhidhi akati kuna Abhishai, Zvino Shebha mwanakomana waBhikiri uchatitadzira kupfuura Abhusaromu. Tora varanda vashe wako, umuteverere, arege kuzviwanira maguta akakombwa namasvingo, akatipukunyukira.
Ipapo varume vaJoabhu, navaKereti navaPereti, navarume vose vemhare vakamutevera. Vakabuda Jerusaremu kuzoteverera Shebha mwanakomana waBhikiri.
Vakati vachisvika pabwe guru raiva paGibhiyoni, Amasa akasangana navo. Zvino Joabhu wakanga akazvisunga nguvo yake yokurwa nayo yaakanga afuka; iyo yakanga yakasungwa nebhanhire rakanga rino munondo wakasungirwa pachiuono chake, uri mumuhara mawo; zvino wakati achifamba, ukawira pasi.
Joabhu akati kuna Amasa, Wakadiniko, munununa wangu? Joabhu akabata ndebvu dzaAmasa noruoko rwake rworudyi, kuti amutsvode.
Asi Amasa haana kuchenjera munondo wakanga uri muruoko rwaJoabhu; naizvozvo akamubaya nawo nomudumbu, akatumburira ura hwake pasi, akasamubaya rwechipiri, akafirapo. Joabhu nomunununa wake Abhishai vakateverera Shebha mwanakomana waBhikiri.
Zvino rimwe jaya raJoabhu rakanga rimirepo naye, rikati, Ani nani unoda Joabhu, nouri kurutivi rwaDhavhidhi, ngaatevere Joabhu.
Asi Amasa wakanga achiumburuka muropa rake pakati penzira. Zvino murume uyu wakati achiona kuti vanhu vose vakaramba vamire, akabvisa Amasa panzira, akamutakurira kusango, akamufukidza nenguvo, nokuti wakaona kuti vanhu vose, vakasvika kwaari, vakaramba vamire.
Iye wakati abviswa panzira, vanhu vose vakatevera Joabhu, kuzoteverera Shebha mwanakomana waBhikiri.
Akafamba namarudzi ose aIsiraeri kusvikira paAbheri, neBhetimaaka, navaBheri vose; vanhu vose vakaungana, vakamuteverawo.
Vakandomukomba paAbheri reBhetimaaka, vakatutira gomo revhu paguta, rikaenzana norusvingo; vanhu vose vaiva naJoabhu vakarwa norusvingo kuti varuputse.
lpapo mumwe mukadzi, wakanga akachenjera, akadanidzira ari muguta, akati, Inzwai, inzwai, doudzai Joabhu, muti, Swedera pano, nditaure newe.
Iye akaswedera kwaari. Mukadzi akati, Ndiwe Joabhu here? Iye akapindura akati, Ndini. Ipapo akati kwaari, Inzwai mashoko omurandakadzi wenyu. Iye akapindura akati, Ndinonzwa.
Zvino akataura akati, Kare vanhu vaiti, Zvirokwazvo, vachabvunza mano paAbheri, mhosva ndokupererapo.
Ini ndiri mumwe wavanotsvaka rugare nowavakarurama pakati paIsiraeri, asi imi munotsvaka kuparadza guta, rakaita samai pakati palsiraeri; munotsvakireiko kumedza nhaka yaJehovha?
Joabhu akapindura akati, Haisva, haisva, handingatongomedzi kana kuparadza;
hazvizi izvo; asi munhu wenyika yamakomo yaEfuremu, unonzi Shebha mwanakomana waBhikiri, ndiye wakasimudzira mambo Dhavhidhi ruoko rwake kuti arwe naye; mumuisei pano iye oga, ipapo ini ndichabva paguta. Mukadzi akati kuna Joabhu, Tarirai, musoro wake uchakandirwa kwamuri napamusoro porusvingo.
Ipapo mukadzi akaenda kuvanhu vose nokuchenjera kwake. Ivo vakagura musoro waShebha mwanakomana waBhikiri, vakaukandira kuna Joabhu. Iye akaridza hwamanda, vanhu vakapararira vakabva paguta, mumwe nomumwe akaenda kutende rake. Joabhu akadzokera Jerusaremu kuna mambo.
Zvino Joabhu ndiye wairaira hondo yose yaIsiraeri, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha ndiye wairaira vaKereti navaPereti,
Adhoramu ndiye wairaira chibharo, naJehoshafati mwanakomana waAhirudhi waiva sahwira;
Sheva waiva munyori; naZadhoki naAbhiatari vaiva vapirisiti;
Ira muJairi waiva mupirisitiwo waDhavhidhi.

21

Zvino pamazuva aDhavhidhi kwakanga kune nzara makore matatu akatevedzana; Dhavhidhi akabvunza Jehovha. Jehovha akati, Imhaka yaSauro neyeimba yake yeropa, nokuti vakauraya vaGibhiyoni.
Mambo akadana vaGibhiyoni, akati kwavari; Zvino vaGibhiyoni vakanga vasi vavana vaIsiraeri, asi ndivo vakanga vasara kuvaAmori, ndivo vakanga vapikirwa navaIsiraeri; asi Sauro wakatsvaka kuvauraya nokushingairira kwake vana vaIsiraeri navaJudha;
Dhavhidhi akati kuva Gibhiyoni, Ndingakuitirai chinyi? Ndingayananisa neiko, kuti muropafadze nhaka yaJehovha?
VaGibhiyoni vakati kwaari, Haizi mhosva yesirivha kana yendarama pakati pedu naSauro neimba yake, nesu hatingafaniri kuuraya munhu pakati paIsiraeri. Iye akati, Chamunoreva ndichakuitirai icho.
Ivo vakati kuna mambo, Iye munhu, wakatipedza, wakatifungira mano akaipa kuti tiparadzwe, tirege kugara panyika yose yalsiraeri,
varume vanomwe vavana vake ngavapiwesu, tivasungirire pamberi paJehovha paGibhiya raSauro, mutsaurwa waJehovha. Mambo akati, Ndichakupai ivo.
Asi mambo wakarega Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro, nokuda kwokupika kwakanga kuri pakati pavo pamberi paJehovha, pakati paDhavhidhi naJonatani mwanakomana waSauro.
Asi mambo wakatora vana vaviri vaRizipa, mukunda waAya, vaakanga aberekera Sauro, Amoni naMefibhosheti, navana vashanu vaMikari mukunda waSauro, vaakanga aberekera Adhirieri mwanakomana waBharizirai muMehorati;
akavaisa mumaoko avaGibhiyoni, ivo vakavasungirira pagomo pamberi paJehovha, vakafa vari vanomwe; vakaurawa pamazuva okukohwa, pamazuva okutanga, pakutanga kwokukohwa bhari.
Zvino Rizipa mukunda waAya wakatora makudza, akazviwarira iwo pamusoro pedombo, kubva pakutanga kwokukohwa kusvikira aniwa nemvura yakabva kudenga; haana kutendera shiri dzokudenga kumhara pamusoro pawo masikati, kana zvikara zvesango usiku.
Zvino Dhavhidhi akaudzwa zvakanga zvaitwa naRizipa mukunda waAya, murongo waSauro;
Dhavhidhi akandotora mapfupa aSauro namapfupa aJonatani mwanakomana wake kuvarume veJabheshiGiriyadhi, vakanga vaaba panzira yeBhetishani, pavakanga vaturikwa navaFirisitia, pazuva rokuurawa kwaSauro navaFirisitia paGiribhoa.
Akatorapo mapfupa aSauro namapfupa aJonatani mwanakomana wake, vakaunganidza mapfupa avakanga vaturikwapo.
Vakaviga mapfupa aSauro naaJonatani mwanakomana wake panyika yavaBhenjamini paZera, pahwiro hwababa vake; vakaita zvose zvavakanga varairwa namambo. Shure kwaizvozvo Mwari akanzwira nyika tsitsi. Kurwa kwavaIsiraeri navaFirisitia
Zvino vaFirisitia vakarwazve navaIsiraeri; Dhavhidhi akaburuka navaranda vake kundorwa navaFirisitia; Dhavhidhi akaneta.
Zvino Ishibhibhenobhi, mumwe wavanakomana vaRafa, waiva nepfumo rakasvika pamashekeri ana mazana matatu endarira pakurema kwaro, iye wakanga akashonga munondo mutsva, akafunga kuuraya Dhavhidhi.
Asi Abhishai mwanakomana waZeruya wakamubatsira, akabaya muFirisitia, akamuuraya. Ipapo varume vaDhavhidhi vakapika kwaari, vakati, Hamufaniri kuzoendazve nesu kundorwa, kuti murege kuzodzima mwenje waIsiraeri.
Zvino shure kwaizvozvo kurwa kwazovapozve navaFirisitia paGobhi; Sibekai, muHushati, akauraya Safi, mumwe wavanakomana vaRafa.
Vakarwazve navaFirisitia paGobhi, Erihanani mwanakomana waJaarioregimi weBheterehemu akauraya Goriati muGiti, rwiriko rwepfumo rake rwakaga rwakaita sedanda romuruki.
Vakarwazve paGati, paiva nomunhu murefu kwazvo, waiva neminwe mitanhatu paruoko rumwe norumwe, nezvigunwe zvitanhatu parutsoka rumwe norumwe, zvaisvika makumi maviri nezvina pakuverengwa kwazvo; naiyewo wakanga akaberekerwa Rafa.
Zvino wakati achishora vaIsiraeri, Jonatani mwanakomana waShimei, munununa waDhavhidhi akamuuraya.
Ava vana vakanga vakaberekerwa Rafa paGati; vakaurawa naDhavhidhi, uye navaranda vake.

22

Zvino Dhavhidhi wakataura kuna Jehovha mashoko orwiyo urwu nenguva yaakarwirwa naJehovha pamaoko avavengi vake vose, napamaoko aSauro;
akati, Jehovha idombo rangu, nenhare yangu, nomurwiri wangu, iye ndowangu.
Mwari idombo rangu, ndichavimba naye; nhovo yangu, norunyanga rwokuponeswa kwangu, shongwe yangu yakakwirira, noutiziro hwangu. Muponesi wangu, anondiponesa pakumanikidzwa.
Ndichadana kuna Jehovha, iye anofanira kurumbidzwa; Naizvozvo ndichaponeswa kuna vavengi vangu.
Nokuti mafungu orufu akandikomba, Uye nzizi dzezvakaipa dzakandivhundusa.
Mabote aSheori akandisunga, Misungo yorufu yakandiwira.
Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, Ndakadana kuna Mwari wangu, Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; Kuchema kwangu kukasvika munzeve dzake.
Ipapo nyika yakazununguka, ikadedera; Nheyo dzokudenga dzakadengenyeka, Dzikazununguswa, nokuti iye wakanga atsamwa.
Utsi hwakakwira hwuchibva mumhino dzake, Uye moto wakabuda mumuromo make, wakaparadza; Mazimbe akabatidzwa nawo.
Wakakotamisawo kudenga-denga, akaburuka, Nerima guru rakanga riri pasi petsoka dzake.
Wakatasva kerubhu, akabhururuka; Zvirokwazvo, wakaonekwa ari pamapapiro emhepo.
Wakazvipoteredza nerima setende, Mvura yakaunganidzwa, nemvumi dzehore dzedenga.
Nokupenya, kwakanga kuri pamberi pake, Mazimbe omoto akabatidzwa.
Jehovha wakatinhira kudenga, Wokumusoro-soro wakataura nenzwi rake.
Wakatuma miseve, akavaparadza; Akatuma mheni, akavavhundusa.
Ipapo pasi pegungwa pakaonekwa, Uye nheyo dzenyika dzakaratidzwa pachena, Nokutuka kwaJehovha, Nokufema kwemweya wemhino dzake.
Wakatambanudza ruoko rwake ari kumusoro, akanditora, Akandinyukura pamvura zhinji;
Akandirwira pamuvengi wangu ane simba, Nokuna vanondivenga; nokuti vakanga vondikurira.
Vakandivinga nezuva renjodzi yangu, Asi Jehovha wakanga ari mutsigiro wangu.
Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana, Akandirwira, nokuti wakanga achindifarira.
Jehovha wakandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Akandipa mubayiro wakaenzana nokuchena kwamaoko angu.
Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha, Handina kubva kuna Mwari wangu nokunyengera.
Nokuti zvose zvaakatonga zvakanga zviri pamberi pangu; Kana zviri zvaakatema, handina kutsauka kwazviri.
Ndakanga ndakarurama kwazvo pamberi pake, Ndakazvichengeta pazvakaipa zvangu.
Naizvozvo Jehovha wakandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Zvakaenzana nokuchena kwangu pamberi pake.
Ane ngoni, munomuitirawo ngoni; Munhu, wakarurama kwazvo, munomuitirawo zvakarurama;
Wakanaka, munomuitirawo zvakanaka; Wakatsauka, munomuitira hasha.
Muchaponesa vanhu vanotambudzika, Asi meso enyu anoona vanozvikudza kuti muvaderedze.
Nokuti muri mwenje wangu, Jehovha; Jehovha uchavhenekera rima rangu.
Nokuti nemi ndichavamba hondo, Kana ndina Mwari wangu ndichadarika rusvingo.
Kana ari Mwari, nzira yake yakarurama kwazvo; Shoko raJehovha rakaidzwa; Ndiye nhovo yavose vanotenda kwaari.
Nokuti ndianiko Mwari, asi iye Jehovha? Ndianiko dombo, asi iye Mwari wedu?
Mwari ndiye nhare yangu ine simba; Iye unondifambisa nenzira yakarurama.
Unoita tsoka dzangu setsoka dzenondokadzi, Unondiisa pakakwirira.
Unodzidzisa maoko angu kurwa; Naizvozvo maoko angu anowembura uta hwendarira.
Makandipawo nhovo yokuponesa kwenyu, Unyoro hwenyu hwakandikurisa.
Makandiitira nzvimbo yakafarikana pasi pangu pandingatsika; Tsoka dzangu hadzina kutedzemuka.
Ndakateverera vavengi vangu, ndikavaparadza, Handina kudzokazve kusvikira vapedzwa.
Ndakavapedza, ndakavabaya, havagoni kumuka; Vakawira pasi petsoka dzangu.
Nokuti makandisunga chiwuno nesimba rokurwa naro; Makandikundisa vaindimukira.
Makatizisa vavengi vangu, Kuti ndiparadze vanondivenga.
Vakatarira, asi kwakanga kusino muponesi, Kuna Jehovha, asi haana kuvapindura.
Ipapo ndakavapwanya seguruva renyika; Ndikavatswa samatope enzira dzomumusha, ndikavaparadzira kure.
Makandirwirawo pakukakavadzana kwavanhu vangu, Makandichengeta kuti ndive mukuru wendudzi; Vanhu vandakanga ndisingazivi, vachandishumira.
Vatorwa vachanamata kwandiri; Vachateerera pakarepo kana vachindinzwa.
Vatorwa vachatorerwa simba, Vachabuda pavaivanda vachidedera.
Jehovha mupenyu; dombo rangu ngarikudzwe; Mwari, dombo rokuponeswa kwangu, ngaarumbidzwe.
Ndiye Mwari unonditsivira, Unondikundisa vanhu.
Unondibvisa kuvavengi vangu; Zvirokwazvo, munondisimudzira kumusoro kwavanondimukira; Munondirwira pamunhu unondimanikidza.
Naizvozvo ndichakuvongai Jehovha, pakati pendudzi, Ndichakudza zita renyu nenziyo;
Unopa mambo wake kuponeswa kukuru; Unoitira muzodzwa wake unyoro, Kuna Dhavhidhi navana vake nokusingaperi.

23

Zvino ndiwo mashoko okupedzisira aDhavhidhi, Zvanzi naDhavhidhi mwanakomana waJese, Zvanzi nomunhu wakakudzwa kwazvo, Naiye muzodzwa waMwari waJakobho, Muimbi wezvakanaka waIsiraeri,
Mweya waJehovha wakataura mukati mangu, Shoko rake rakanga riri parurimi rwangu.
Mwari waIsiraeri wakataura, dombo raIsiraeri rakataura neni, rikati, Mumwe uchavapo, uchabata vanhu zvakarurama, Uchabata ushe achitya Mwari;
Uchava sechiedza chamangwanani, kana zuva robuda, Samangwanani kana kusina makore. Kana bumhudza richibuda pavhu Kana mushana wobuda mvura yapera kunaya.
Ko imba yangu haizakadaro kuna Mwari here? Nokuti wakaita neni sungano isingaperi, Yakanatswa pazvinhu zvose, yakasimba; Nokuti ndiko kuponeswa kwangu kwose, nokuda kwangu kwose, Ko haangazvikurisi here?
Asi vose vasingadi Mwari vachafanana neminzwa inorashwa, Nokuti haigoni kubatwa namaoko;
Asi munhu anoibata Anofanira kutora rutare norwiriko rwepfumo; Ipiswe kwazvo panzvimbo yayo nomoto. Mhare dzaDhavhidhi
Ndiwo mazita emhare dzaDhavhidhi: Joshebhibhashebheti muTakemoni, mukuru wavatariri; iye wakanga ari Adhino muEzini, wakauraya vanhu vana mazana masere nenguva imwe.
Wakamutevera wakanga ari Ereazari mwanakomana waDhodhai, mwanakomana womuAhohi, mumwe wemhare nhatu dzakanga dzinaDhavhidhi, musi wavakavamba vaFirisitia vakanga vaungana kuzorwa, varume vaIsiraeri vabva;
iye akasimuka, akabaya vaFirisitia kusvikira ruoko rwake rwaneta, ruoko rwake rukawomerera pamunondo wake; Jehovha akavakundisa kwazvo nomusi iwoyo, vanhu vakadzoka vachimutevera, kuzopamba kwoga.
Wakamutevera wakanga ari Shama mwanakomana waAgee, muHarari. VaFirisitia vakanga vaungana paRehi, pakanga pane bindu renyemba; vanhu vakatiza vaFirisitia.
Asi iye wakamira pakati pebindu, akarirwira, akauraya vaFirisitia; Jehovha akavakundisa kwazvo.
Zvino vatatu vavakuru vana makumi matatu vakaburuka, vakasvika kuna Dhavhidhi kubako reAdhuramu, nenguva yokukohwa; boka ravaFirisitia; rakanga radzika matende pamupata weRefaimu.
Zvino nenguva iyo Dhavhidhi wakanga ari munhare, uye varwi vavaFirisitia vaiva paBheterehemu nenguva iyo.
Dhavhidhi akapanga, akati, Haiwa! Dai mumwe achindipa mvura yetsime reBheterehemu, riri pasuo, ndinwe!
Ipapo mhare idzo nhatu dzakapasanura napakati pehondo yavaFirisitia, vakandoteka mvura patsime reBheterehemu, riri pasuo, vakaitora vakauya nayo kuna Dhavhidhi; asi iye wakaramba kuinwa, akaidururira kuna Jehovha.
Akati, Haisva, Jehovha, handingaiti chinhu ichi! Ndinganwa ropa ravarume ava vakaenda vasingarangariri upenyu hwavo here? Naizvozvo akaramba kuinwa. Ndizvo zvakaitwa nemhare idzo.
Abhishai munununa waJoabhu, mwanakomana waZeruya, wakanga ari mukuru wavatatu avo. Ndiye wakasimudza pfumo rake akarwa navanhu vana mazana matatu, akavauraya, akava nomukurumbira pakati pavatatu avo.
Iye wakarumbidzwa zvikuru pakati pavatatu avo; naizvozvo akaitwa mukuru wavo, asi haana kuenzana navatatu vokutanga.
Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, mwanakomana wemhare yeKabhizeeri, wakanga aita mabasa makuru, iye wakauraya vanakomana vaviri vaArieri waMoabhu, akandourayawo shumba mukati mehuzha panguva yechando;
akaurayawo muIjipiti, murume wakanga akanaka, muljipiti uyu wakanga akabata pfumo muruoko rwake, asi iye wakaburukira kwaari akabata tsvimbo, akabvuta pfumo muruoko rwomuIjipiti, akamuuraya nepfumo rake iro.
Zvinhu izvi zvakaitwa naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, wakanga akakurumbira pakati pemhare idzo nhatu.
Iye wakanga achirumbidzwa kupfuura vana makumi matatu, asi haana kuenzana navatatu vokutanga. Dhavhidhi akamuita mutariri wavarindi vake.
Ashaheri munununa waJoabhu wakanga ari mumwe wavana makumi matatu, naErihanani mwanakomana waDhodho weBheterehemu;
naShama muHarodhi, naErika muHarodhi;
naHerezi muPariti, naIra mwanakomana waIkeshe muTekoi;
naAbhiezeri muAnatoti, naMebhunai muHushati;
naZarimoni muAhohi, naMaharai muNetofati;
naHerebhu, mwanakomana waBhaana muNetofati, naItai mwanakomana waRibhai weGibhiya wavana vaBhenjamini;
naBhenaya muPiratoni, naHidai wehova dzeGaashi;
naAbhiaribhoni muAribhati, naAzimavheti muBharihumi;
naEriabha muShaaribhoni, naJonatani kuvana vaJasheni;
naShama muHarari, naAhiami mwanakomana waSharari muArari;
naErifereti mwanakomana waAhashabhai, mwanakomana womuMaakati, naEriami mwanakomana waAhitoferi muGironi;
naHezero muKarimeri, naParai muAribhi;
naIgari mwanakomana waNatani weZobha, naBhani muGadhi;
naZereki muAmoni, naNaharai muBheeroti, vaibata nhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu mwanakomana waZeruya;
naIra muItiri, naGarebhi muItiri;
naUriya muHiti, vose makumi matatu navanomwe.

24

Zvino Jehovha wakatsamwirazve vaIsiraeri, akakurudzira Dhavhidhi pamusoro pavo, akati, Enda uverenge vaIsiraeri navaJudha.
Ipapo mambo akati kuna Joabhu mukuru wehondo wakanga anaye, Enda zvino, upote namarudzi ose alsiraeri, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha, uverenge vanhu, ndizive kuwanda kwavo.
Joabhu akati kuna mambo, Jehovha Mwari wenyu ngaawedzere hake kuvanhu, vapfuure ava runezana pakuwanda kwavo, nameso ashe wangu ngaazviwone; asi ishe wangu mambo unotsvakireiko chinhu ichi?
Kunyange zvakadaro shoko ramambo rakakurira Joabhu navakuru vehondo. Joabhu navakuru vakabuda pamberi pamambo kundoverenga vanhu vaIsiraeri.
Vakayambuka Jorodhani, vakadzika matende avo paAroeri, kurutivi rworudyi rweguta, pakati pomupata weGadhi, kusvikira paJazeri.
Ipapo vakasvika Giriyadhi, nokunyika yeTatimihodhisi; vakasvikawo Dhanijaani, nenyika yakapoteredza kusvikira paZidhoni,
vakasvikawo kunhare yeTire, nokumaguta ose avaHivhi, navaKenani; vakapedzisa kurutivi rwezasi rwaJudha paBheerishebha.
Zvino vakati vapota nenyika yose, vakasvika Jerusaremu, vapedza mwedzi mipfumbamwe namazuva ana makumi maviri.
Joabhu akarondedzera kuwanda kwavanhu kuna mambo; kuna vaIsiraeri kwakanga kune mhare dzaiva nezviuru zvina mazana masere vaigona kurwa nomunondo; uye varume vaJudha vaiva varume vane zviuru zvina mazana mashanu.
Zvino Dhavhidhi wakati apedza kuverenga vanhu, hana yake ikamurova. Dhavhidhi akati kuna Jehovha, Ndatadza kwazvo zvandaita chinhu ichi; asi zvino Jehovha, bvisai henyu kuipa kwomuranda wenyu; nokuti ndaita sebenzi kwazvo.
Zvino Dhavhidhi wakati achimuka mangwanani, shoko raJehovha rikasvika kumuporofita Gadhi, Muvoni waDhavhidhi, rikati,
Enda, undoudza Dhavhidhi, uti, Zvanzi naJehovha, ndinokuisira zvinhu zvitatu; chizvitsaurira chimwe chazvo, ndikuitire icho.
Naizvozvo Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi, akamuudza akati kwaari, Unoda kuti makore manomwe enzara ave panyika yako here? Kana unoda kutiza pamberi pavavengi vako mwedzi mitatu vachikuteverera here? Kana unoda kuti denda rive panyika yako mazuva matatu here? Zvino chifunga hako, urangarire mhinduro yandingadzosera kuna iye wakandituma.
Ipapo Dhavhidhi akati kuna Gadhi, Ndiri pakumanikidzwa kukuru; tiwire hedu zvino muruoko rwaJehovha, nokuti nyasha dzake ihuru, asi ndirege hangu kuwira muruoko rwomunhu.
Ipapo Jehovha akatuma denda pakati paIsiraeri kubva mangwanani kusvikira panguva yakanga yatarwa, varume vane zviuru zvina makumi manomwe vakafa pakati pavanhu, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha.
Zvino mutumwa wakati achitambanudzira ruoko rwake kuJerusaremu, kuti ariparadze, Jehovha akazvidemba pamusoro pechakaipa icho, akati kumutumwa wakanga achiparadza vanhu, Ndizvo, chidzosa ruoko rwako. Zvino mutumwa waJehovha wakanga amire paburiro raArauna muJebhusi.
Dhavhidhi wakati achiona mutumwa wakanga achiuraya vanhu, akataura naJehovha, akati, Tarirai, ndini ndatadza, ndini ndaita zvakaipa; asi makwai awa akaiteiko? Ruoko rwenyu ngarundirove harwo ini neimba yababa vangu.
Zvino Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi zuva iro, akati kwaari, Enda undovakira Jehovha aritari paburiro raArauna muJebhusi.
Dhavhidhi akaenda sezvaakaudzwa naGadhi, sezvaakarairwa naJehovha.
Zvino Arauna akatarira, akaona mambo navaranda vake vachiuya kwaari, Arauna akabuda, akakotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo.
Arauna akati, Ishe wangu mambo wauyireiko kumuranda wake? Dhavhidhi akati, Ndauya kuzotenga buriro kwauri, kuti ndivakire Jehovha aritari, kuti denda ripere pakati pavanhu.
Arauna akati kuna Dhavhidhi, Ishe wangu mambo ngaatore hake, abayire Jehovha sezvaanoda; tarirai, hedzo nzombe dzokubayira chipiriso chinopiswa; uye nhumbi dzokupira nadzo, namajoko enzombe, dzive huni;
izvi zvose, mambo, Arauna unopa mambo. Arauna akati kuna mambo, Jehovha Mwari wenyu ngaakugamuchirei hake.
Mambo akati kuna Arauna, Kwete, ndichazvitenga kwauri zvirokwazvo nomutengo wazvo, uye handingabayiri Jehovha Mwari wangu zvipiriso, zvandisina kutenga. Naizvozvo Dhavhidhi akatenga buriro nenzombe namashekeri esirivha ana makumi mashanu.
Dhavhidhi akavakirapo Jehovha aritari, akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa. Naizvozvo Jehovha akanzwira nyika tsitsi, denda rikapera pakati paIsiraeri.

Holder of rights
Multilingual Bible Corpus

Citation Suggestion for this Object
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. 2 Samuel (Shona). 2 Samuel (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C572-9