1

Zvino Joshua wakati afa, vana vaIsiraeri vakabvunza Jehovha, vakati, Ndianiko kwatiri anofanira kutanga kundorwa navaKenani?
Jehovha akati, Judha ndiye unofanira kuenda; tarirai ndakaisa nyika iyi mumaoko ake.
Zvino Judha akati kuna Simiyoni mukuru wake, Hendei tose kumugove wangu, tirwe navaKenani, neni ndigoenda newe kumugove wako. Ipapo Simiyoni akaenda naye.
Zvino Judha akaenda, Jehovha akaisa vaKenani navaPerizi mumaoko ake, vakauraya muBhezeki varume vavo vane zviuru zvine gumi.
Vakawana Adhoni-bhezeki muBhezeki, vakarwa naye, vakauraya vaKenani navaPerizi.
Asi Adhoni-bhezeki wakatiza; vakamutevera, vakamubata, ndokumugura magunwe ake namagunwe amakumbo ake.
Ipapo Adhoni-bhezeki akati, Madzimambo ana makumi manomwe, akanga akagurwa magunwe awo namagunwe amakumbo awo, ainonga zvokudya zvawo pasi petafura yangu; sezvandakaita ini, Mwari wakanditsivawo. Vakaenda naye Jerusaremu, akafirapo.
Zvino vana vaJudha vakandorwa neJerusaremu, vakarikunda, vakavauraya neminondo inopinza, vakapisa guta nomoto.
Pashure vana vaJudha vakaburuka vakandorwa navaKenani, vakanga vagere panyika yamakomo, nezasi nokumapani.
Zvino vaJudha vakandorwa navaKenani vakanga vagere Hebhuroni (zvino zita reHebhuroni kare raiva Kiriati-abha); vakaparadza Sheshai, naAhimani, naTarimani.
Vakabvapo, vakandorwa navanhu vakanga vagere Dhebhiri. (Zvino zita reDhebhiri kare raiva Kiriati-seferi).
Karebhu akati, Munhu unorwa neKiriati-seferi, akarikunda, ndichamupa mukunda wangu Akisa, ave mukadzi wake.
Ipapo Otinieri, mwanakomana waKenazi, munununa waKarebhu, akarikunda; iye akamupa mukunda wake Akisa, akava mukadzi wake.
Zvino iye wakati achisvika kwaari, akamukurudzira kuti akumbire munda kuna baba vake; zvino iye akaburuka pambongoro yake, Karebhu akati kwaari, Unoreveiko?
Akati, Ndipei chipo; zvamakandiisa kunyika yezasi, ndipeiwo matsime emvura. Akamupa matsime okumusoro namatsime ezasi.
Zvino vana vomuKeni, mukarabwa waMozisi, vakabuda paguta remichindwe, vakakwira pamwechete navana vaJudha kurenje raJudha, riri zasi kweAradhi; vakandogara navanhu voko.
Judha akaenda naSimiyoni mukuru wake, vakakunda vaKenani vakanga vagere Zefati; vakariparadza chose. Guta iro rikazotumidzwa Homa.
VaJudha ndokukundawo Gaza nenyika yaro neAshikeroni nenyika yaro, neEkironi nenyika yaro.
Jehovha akava naJudha akadzinga vanhu vakanga vagere panyika yamakomo; asi wakanga asingagoni kudzinga vakanga vagere mumupata, nokuti ivo vakanga vane ngoro dzamatare.
Vakapa Karebi Hebhuroni sezvakanga zvataurwa naMozisi, akadzingapo vana vaAnaki vatatu.
Asi vana vaBhenjamini havana kudzinga vaJebhusi vakanga vagere Jerusaremu; asi vaJebhusi vakagara Jerusaremu pamwechete navana vaBhenjamini kusvikira nhasi.
Veimba yaJosefa naivo vakakwira vakandorwa neBheti-eri, Jehovha akava navo.
Veimba yaJosefa vakandoshora Bheti-eri. (Zvino zita reguta iri pakutanga raiva Ruzi.)
Nharirire dzikaona munhu achibuda muguta, dzikati kwaari, Dotiratidza hako pano paguta, tigokuitira zvakanaka.
Akavaratidza panopindwa napo paguta, vakakunda guta neminondo inopinza; asi vakatendera munhu uyo nemhuri yake yose kuenda hake.
Zvino munhu uyo akaenda kunyika yavaHeti, akandovaka guta rake, akaritumidza zita rinonzi Ruzi; ndiro zita raro kusvikira nhasi.
Manase haana kudzinga vanhu vakanga vagere Bheti-sheani, nemisha yaro, kana veTaanaki, nemisha yaro, kana vakanga vagere Dhori, nemisha yaro; kana vakanga vagere Ibhireami, nemisha yaro, kana vakanga vagere Megidho, nemisha yaro; asi vaKenani vakaramba vachida kugara panyika iyo.
Zvino vaIsiraeri vakati vasimba, vakabatisa vaKenani basa rechibharo, havana kuvadzinga chose.
Efuremu haana kudzinga vaKenani vakanga vagere Gezeri; asi vaKenani vakagara Gezeri pakati pavo.
Zebhuruni haana kudzinga vanhu vakanga vagere Kitironi, kana vakanga vagere Naharori; asi vaKenani vakagara pakati pavo, vakava vabati vechibharo.
Asheri haana kudzinga vanhu vakanga vagere Ako, kana vakanga vagere Zidhoni, kana Akirabhi, kana Akisibhi, kana Heribha, kana Afiki, kana Rehobi;
asi vaAsheri vakagara pakati pavaKenani, vakanga vagere munyika iyo; nokuti havana kuvadzinga.
Nafutari haana kudzinga vanhu vakanga vagere Bheti-shemeshi, kana vakanga vagere Bheti-anati; asi vakagara pakati pavaKenani, vakanga vagere panyika iyo; asi vakanga vagere Bhetishemeshi neBheti-anati vakava vabati vechibharo.
VaAmori vakasundira vana vaDhani kunyika yamakomo, nokuti havana kuvatendera kuburukira kumupata;
asi vaAmori vakaramba vachida kugara mugomo reHeresi, muAjaroni nomuShaaribhimu, kunyange zvakadaro ruoko rwaveimba yaJosefa rwakakunda, vakava vabati vechibharo.
Muganhu wavaAmori wakabva pamukwidzwa weAkirabhimu, kubva padombo, uchikwira.

2

Zvino mutumwa waJehovha wakabva Girigari, akaenda Bhokimi, akati, Ndakakubudisa muIjipiti, ndikakusvitsai panyika yandakapikira madzibaba enyu, ndikati, Handingatongoputsi sungano yangu nemi nokusingaperi;
nemi hamufaniri kuita sungano navanhu vagere panyika ino; munofanira kuputsa atari dzavo. Asi hamuna kuteerera inzwi rangu; makaitireiko izvozvo?
Saka ini ndakatiwo, Handingavadzingi pamberi penyu; asi vachava seminzwa kunhivi dzenyu, navamwari vavo vachava zvisungo kwamuri.
Zvino mutumwa waJehovha wakati ataura namashoko iwayo kuvana vaIsiraeri vose, vanhu vose vakachema kwazvo.
Ipapo vakatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Bhokimi, vakabayirapo Jehovha. Valsiraeri vanorwirwa navatongi
Zvino Joshua wakati aendisa vanhu, vana vaIsiraeri vakaenda mumwe nomumwe kunhaka yake, kuti vagare panyika yavo.
Vanhu vakashumira Jehovha mazuva ose aJoshua, namazuva ose avakuru vakanga vachiri vapenyu Joshua atofa, ivo vakanga vaona mabasa makuru akanga aitirwa vaIsiraeri naJehovha.
Zvino Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha akafa, ava namakore ane zana negumi.
Vakamuviga panyika yenhaka yake paTiminati-heresi, panyika yamakomo yaEfuremu, nechokumusoro kwegomo reGaashi.
Zvino vorudzi urwo rwose vakasanganiswa namadzibaba avo, rumwe rudzi rukamuka shure kwavo rwakanga rusingazivi Jehovha, kana basa raakaitira vaIsiraeri.
Vana vaIsiraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, vakashumira Bhaari;
vakarasha Jehovha Mwari wamadzibaba avo, wakanga avabudisa munyika vakatevera vamwe vamwari vavanhu vakanga vakavapoteredza, vakavapfugamira, vakatsamwisa Jehovha.
Vakarasha Jehovha, vakashumira Bhaari neAshitaroti.
Kutsamwa kwaJehovha kukamukira vaIsiraeri, akavaisa mumaoko avaparadzi vakavaparadza, akavatengesa mumaoko avavengi vavo vakanga vakavapoteredza; naizvozvo vakanga vasingagoni kumira pamberi pavavengi vavo.
Pose-pose pavaienda, ruoko rwaJehovha rwairwa navo nokuvaitira zvakaipa, sezvakanga zvataurwa naJehovha, uye sezvavakanga vapikirwa naJehovha; vakatambudzika kwazvo.
Zvino Jehovha akamutsa vatongi, vaivarwira mumaoko avaivaparadza.
Kunyange zvakadaro havana kuteerera vatongi vavo, nokuti vakapata vachitevera vamwe vamwari, vakavapfugamira; vakakurumidza kutsauka panzira yaifamba madzibaba avo, vaiteerera mirairo yaJehovha; asi ivo havana kuita saizvozvo.
Zvino Jehovha waiti kana achinge achivamutsira mutongi, Jehovha waiva nomutongi uyo, ndokuvarwira pamaoko avavengi vavo mazuva ose omutongi uyo; nokuti Jehovha wakazvidemba pamusoro pokugomba kwavo nokuda kwavaivamanikidza nokuvanetsa.
Asi kana mutongi afa, vakadzokazve, vakaita zvakaipa kupfuura madzibaba avo, pakutevera vamwe vamwari, nokuvashumira, nokuvapfugamira; havana kurega mabasa avo kana mufambiro wemoyo yavo mikukutu.
Ipapo kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vaIsiraeri, akati, Rudzi urwu zvarwakadarika sungano yangu, yandakaita namadzibaba avo, vakasateerera inzwi rangu,
neniwo handichazodzingi pamberi pavo rudzi rumwe rwendudzi dzakasiyiwa naJoshua pakufa kwake;
kuti ndiidze vaIsiraeri nadzo, kana vachida kuchengeta nzira yaJehovha, kana vachida kufambamo, sezvayaichengetwa namadzibaba avo, kana vasingadi.
Naizvozvo Jehovha akasiya ndudzi idzo, akasakurumidza kudzidzinga; uye haana kudziisa muruoko rwaJoshua.

3

Zvino ndidzo ndudzi dzakasiyiwa naJehovha, kuti aidze vaIsiraeri nadzo, ivo vaIsiraeri vose vakanga vasina kuziva hondo dzose dzapaKenani;
nemhaka iyo bedzi kuti marudzi avana vaIsiraeri azive, kuti avadzidzise kurwa, ivo vasina kumboziva izvozvo pakutanga,
vaiti: Madzishe mashanu avaFirisitia, navaKenani vose, navaZidhoni, navaHivhi, vakanga vagere mugomo reRebhanoni, kubva pagomo reBhaariherimoni, kusvikira pavanopinda paHamati.
Ivo vakasiyiwapo, kuti vaIsiraeri vaidzwe navo, kuti kuzikanwe kana vachida kuteerera mirairo yaJehovha yaakanga araira madzibaba avo naMozisi.
Vana vaIsiraeri vakagara pakati pavaKenani, navaHeti, navaAmori, navaPerizi, navaHivhi, navaJebhusi.
ivo vakawana vakunda vavo, kuti vave vakadzi vavo, vakapa vanakomana vavo vakunda vavo, vakashumira vamwari vavo. Otinieri
Zvino vana vaIsiraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, vakakanganwa Jehovha Mwari wavo, vakashumira vaBhaari namatanda okunamata nawo.
Saka kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vaIsiraeri, akavatengesa muruoko rwaKushani-rishataimu, mambo weMesopotamia; vana vaIsiraeri vakashumira Kushani-rishataimi makore masere.
Zvino vana vaIsiraeri vakati vachichema kuna Jehovha, Jehovha akamutsira vana vaIsiraeri muponesi, wakavaponesa, iye Otinieri, mwanakomana waKenazi, munununa waKarebhu.
Mweya waJehovha akauya pamusoro pake, akatonga vaIsiraeri, akandorwa, Jehovha akaisa Kushani-rishataimi, mambo weMesopotamia, muruoko rwake; ruoko rwake rukakunda Kushani-rishataimi.
Ipapo nyika yakazorora makore ana makumi mana. Otinieri, mwanakomana waKenazi, akafa. Ehudhi
Zvino vana vaIsiraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, Jehovha akasimbisa Egironi, mambo waMoabhu, kuti arwe navaIsiraeri, nokuti vakanga vaita zvakaipa pamberi paJehovha.
Akaunganidza kwaari vana vaAmoni navaAmareki, akandokunda valsiraeri, vakavatorera guta remichindwe.
Vana vaIsiraeri vakashumira Egironi, mambo waMoabhu, makore ane gumi namasere.
Asi vana vaIsiraeri vakati vachichema kuna Jehovha, Jehovha akavamutsira muponesi, iye Ehudhi, mwanakomana waGera, muBhenjamini, munhu waiva neziboshwe; vana valsiraeri vakatumira Egironi, mambo waMoabhu, chipo naye.
Zvino Ehudhi wakazviitira munondo wakanga wakarodzwa kunhivi dzose, wakanga wakasvika kubhiti rimwe pakureba kwavo; akausungira pasi penguvo dzake pachidya chorudyi.
Ipapo akandopa Egironi, mambo waMoabhu, chipo; Egironi wakanga ari munhu wakakora kwazvo.
Zvino wakati apedza kumupa chipo, akaendisa vanhu vakanga vakatakura chipo.
Asi iye amene wakadzoka pamifananidzo yakavezwa yamabwe paGirigari, akati, Ndine shoko rakavanzika nemi mambo. Iye akati, Nyararai. Ipapo vose vakanga vamire naye vakabva kwaari.
Zvino Ehudhi akaswedera kwaari; iye wakanga agere ari oga muimba yake inotonhorera; Ehudhi akati, Ndine shoko kwamuri rinobva kuna Mwari. Iye ndokusimuka pachigaro chake.
Ipapo Ehudhi akatambanudza ruoko rwake rworuboshwe, akavhomora munondo pachidya chake chorudyi, akamubaya nawo nomudumbu rake;
chibato chikapindawo chichitevera chese, mafuta akadzivira pamusoro pechese, nokuti haana kuvhomora munondo mudumbu rake, mafuta akabuda.
Zvino Ehudhi akabuda pabiravira, akapfiga mikova yeimba yokumusoro shure kwake, akaikiya.
Wakati abuda, varanda vake vakasvika, vakawana mikova yeimba yokumusoro yakapfigwa; vakati, Zvimwe unofukidza makumbo ake paimba yake inotonhorera.
Zvino vakamira kusvikira vapera mano, asi haana kuzarura mikova yeimba yokumusoro; ipapo vakatora kiyi, vakazarura mukova, vakawana ishe wavo akawira pasi, afa.
Asi ivo vachanonoka, Ehudhi akapukunyuka, akapfuura mifananidzo yakavezwa yamabwe, akapukunyukira Seira.
Wakati asvikapo, akaridza hwamanda panyika yamakomo yaEfuremu, vana vaIsiraeri vakaburuka naye panyika yamakomo, iye akavatungamirira.
Akati kwavari, Nditeverei, nokuti Jehovha wakaisa vaMoabhu, vavengi venyu, mumaoko enyu. Vakaburuka vachimutevera, vakandogarira mazambuko aJorodhani paiyambukira vaMoabhu, vakasatendera munhu mumwe kuyambuka.
Nenguva iyo vakauraya varume vaMoabhu vanenge zviuru zvine gumi, vose vari varume vane simba novoumhare, hakuna munhu mumwe wakapukunyuka.
Naizvozvo vaMoabhu vakakundwa musi iwoyo noruoko rwavaIsiraeri, nyika ikazorora makore ana makumi masere. Shamugari
Shure kwake kwakanga kuna Shamugari, mwanakomana waAnati, wakauraya kuvaFirisitia vana mazana matanhatu norutanda rwokubaya mombe narwo; iye akaponesawo vaIsiraeri.

4

Zvino shure kwokufa kwaEhudhi vana vaIsiraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha.
Jehovha akavatengesa muruoko rwaJabhini, mambo weKenani, wakanga achibata ushe paHazori; mukuru wehondo yake wakanga ari Sisera, wakanga agere paHarosheti ravahedheni.
Zvino vana vaIsiraeri vakachema kuna Jehovha, nokuti wakanga ane ngoro dzamatare dzina mazana mapfumbamwe, akamanikidza vana vaIsiraeri kwazvo makore ana makumi maviri.
Nenguva iyo Dhebhora, muporofitakadzi, mukadzi waRapidhoti, wakanga achitonga valsiraeri.
Iye waigara pasi pomuchindwe waDhebhora, pakati peRama neBheti-eri, panyika yamakomo yaEfuremu; vana vaIsiraeri vaisienda kwaari kuzotongerwa mhaka dzavo.
Iye akatuma nhume kundodana Bharaki, mwanakomana waAbhinoami, paKedheshi-nafutari, akati kwaari, Jehovha Mwari wavaIsiraeri haana kukuraira here, achiti, Enda uswedere kugomo reTabhori, uende navarume vane zviuru zvine gumi vavana vaNafutari navana vaZebhuruni?
Neni ndichatumira kwauri kurukova Kishoni, Sisera mukuru wehondo yaJabhini, nengoro dzake navanhu vake vazhinji, ndivaise muruoko rwako.
Bharaki akati kwaari, Kana imwi mukaenda neni, ini ndichaenda, asi kana imwi musingaendi neni, ini handingaendi.
Iye akati, Zvirokwazvo ndichaenda newe, asi iwe haungakudzwi parwendo urwu rwaunofamba, nokuti Jehovha uchatengesa Sisera muruoko rwomukadzi. Dhebhora akasimuka, akaenda Kedheshi naBharaki.
Bharaki akakoka Zebhuruni naNafutari paKedheshi, akakwira ana varume vane zviuru zvine gumi vakanga vachimutevera; naDhebhora wakaendawo naye.
Zvino Hebheri muKeni, wakanga aparadzana navaKeni, ivo vana vaHobhabhi, mukarahwa waMozisi, akadzika tende rake kusvikira pamuouki paZaananimu, paKedheshi.
Zvino vakaudza Sisera kuti Bharaki, mwanakomana waAbhinoami, wakwira mugomo reTabhori.
Sisera akaunganidza ngoro dzake dzose, idzo ngoro dzamatare, dzina mazana mapfumbamwe, navanhu vose vaakanga anavo, kubva paHarosheti ravahedheni kusvikira parukova Kishoni.
Zvino Dhebhora akati kuna Bharaki, Simuka, nokuti iri ndiro zuva raJehovha, raachaisa naro Sisera muruoko rwako; Jehovha haana kukutungamirira here? Ipapo Bharaki akaburuka pagomo reTabhori, varume vane zviuru zvine gumi vachimutevera.
Zvino Jehovha akavhundusa Sisera nengoro dzake dzose, nehondo yake yose, neminondo inopinza pamberi paBharaki; Sisera akaburuka pangoro yake, akatiza namakumbo.
Asi Bharaki wakatevera ngoro nehondo kusvikira paHarosheti ravahedheni, hondo yose yaSisera ikaurawa neminondo inopinza, hakuna kusara kunyange nomumwe chete.
Asi Sisera wakatiza namakumbo kutende raJaeri, mukadzi waHebheri, muKeni, nokuti kwakanga kuno rugare pakati paJabhini, mambo weHazori, neimba yaHebheri muKeni.
Jaeri akabuda kundosangana naSisera, akati kwaari, Tsaukai, ishe wangu, tsaukirai henyu kwandiri, regai kutya. Ipapo akatsaukira kwaari mutende, akamufukidza nejira.
Iye akati kwaari, Ndipewo zvimvura, ndinwe, nokuti ndine nyota. Akadziura dende romukaka, akamupa, akanwa, akamufukidza.
Akati kwaari, Mira pamukova wetende, zvino kana ani naani akauya akakubvunza, achiti, Pano pano munhu here? Uti, Kwete.
Ipapo Jaeri, mukadzi waHebheri, akatora mbambo yetende, akatorawo nyundo paruoko rwake, akanatsoswedera kwaari, akarovera mbambo napachavovo chake, ikabuda neseri, ikabayira pasi, nokuti wakanga abatwa kwazvo nehope, aneta; akafa.
Zvino tarira, Bharaki wakati achitevera Sisera, Jaeri akabuda akandosangana naye, akati kwaari, Uyai, ndikuratidzei munhu wamunotsvaka. Iye akapinda kwaari akaona Sisera akatandavara pasi, afa, mbambo ichiri pachavovo chake.
Naizvozvo nomusi iwoyo Jehovha wakakunda Jabhini, mambo weKenani, pamberi pavana vaIsiraeri.
Vana vaIsiraeri vakaramba vachingokunda Jabhini, mambo weKenani, kusvikira vaparadza Jabhini, mambo weKenani.

5

Zvino Dhebhora naBharaki, mwanakomana waAbhinoami, vakaimba nomusi iwoyo, vakati,
Kudzai Jehovha, Nokuti vatungamiriri vakatungamirira vaIsiraeri, Nokuti vanhu vakauya nokuda kwavo.
Inzwai, imwi madzimambo, teererai, imwi machinda;Ini, iyeni, ndichaimbira Jehovha; Ndicharumbidza Jehovha, Mwari waIsiraeri nenziyo.
Jehovha, pakubuda kwenyu paSeiri, Pakufamba kwenyu muchibva kusango reEdhomu,Nyika yakadedera, uye denga rakadonha, Zvirokwazvo makore akadonha mvura.
Makomo akayerera pamberi paJehovha, Nairo Sinai pamberi paJehovha Mwari waIsiraeri.
Pamazuva aShamugara, mwanakomana waAnati, Pamazuva aJaeri, nzira huru dzakanga dzisingafambwi, Vafambi vaifamba nenzira dzinopota-pota.
Misha yakanga isina vanhu munaIsiraeri, yakanga isina vanhu, Kusvikira ini Dhebhora ndichisimuka, Ndichisimuka ini, mai pakati paIsiraeri.
Vakazvitsaurira vamwari vatsva; Kurwa kukavapo pamasuo. Kwakanga kuchionekwa here nhovo kana pfumo pakati pavalsiraeri vane zviuru zvina makumi mana here?
moyo wangu unorumbidza vabati vaIsiraeri,Avo vakauya nokuda kwavo pakati pavanhu;Kudzai Jehovha!
Paridzai izvozvo, imwi makatasva mbongoro chena, imwi, mugere pamhasa dzinokosha, Nemi, munofamba nenzira.
Kure namanzwi avanopfura nouta, pavanoteka mvura,Ndipo pavacharumbidza mabasa akarurama aJehovha, Mabasa akarurama oushe hwake muna Isiraeri. Ipapo vanhu vaJehovha vakaburukira kumasuo.
Muka, muka, Dhebhora;Muka, muka, iwe uimbe rwiyo! Simuka Bharaki, utape vatapwa vako, iwe mwanakomana waAbhinoami.
Ipapo vakanga vakasara vavakuru navanhu vakaburuka, Jehovha wakaburuka nokuda kwangu kuzorwa navane simba.
Kuna Efuremu ndokwakabva vanomudzi wavo paAmareki, Vachikutevera iwe Bhenjamini pakati pavanhu vako. PaMakiri ndipo pakaburukira varairi, Nokuna Zebhuruni avo vakabata tsvimbo yokukunda.
Machinda aIsakari akanga ana Dhebhora; Salsakari, ndizvo zvakanga zvakaitawo Bharaki; Vakamhanyira kumupata vachitevera tsoka dzake. Pahova dzaRubheni Pakanga pane mirangariro mikuru yomoyo.
Wakagarireiko pasi pakati pamatanga ezvipfuwo. Uchiteerera kurira kwenyere dzinoridzirwa makwai?Pahova dzaRubheni Pakanga pano kunzvera kukuru kwomoyo.
Giriyadhi wakagara mhiri kwaJorodhani; Newe Dhani, wakagarireiko pazvikepe? Asheri wakagara zvake pamhenderekedzo dzegungwa, Wakarambira apo panopinda mvura panyika.
Zebhuruni ndivanhu vakanga vasingatyi kusvikira parufu, NaNafutari panzvimbo dzenyika dzakakwirira.
Madzimambo akauya akarwa, Ipapo madzimambo eKenani akarwawo PaTaanaki, pamvura zhinji yeMegidho Havana kuwana fuma yemari.
Nyeredzi dzakarwa dziri kudenga, Dzakarwa naSisera dziri panzira dzadzo.
Rwizi Kishoni rwakavakukura, Irwo rwizi rwekare, rwizi Kishoni. Mweya wangu, pfuura nesimba.
Nguva iyo makumbo amabhiza akarovera pasi Nokumhanya, kuri kumhanya kwavakasimba.
Tuka Merozi ndizvo zvinotaura mutumwa waJehovha, Tuka zvakaipa avo vageremo; Nokuti havana kuuya kuzobatsira Jehovha, Kuzobatsira Jehovha pakurwa kwake navane simba.
Pakati pavakadzi Jaeri ngaarumbidzwe, Iye mukadzi waHebheri muKeni, Ngaarumbidzwe pakati pavakadzi patende.
Wakakumbira mvura, iye akamupa mukaka; Wakamuvigira mukaka wakafa pandiro yamambo.
Wakabata mbambo noruoko rwake, Nenyundo yomubati norudyi rwake, Akarova Sisera nenyundo, akaboora musoro wake; Wakarova, akaboora zvavovo zvake.
Wakakotama patsoka dzake, akawa, Ipapo paakakotama, ndipo paakawira pasi, afa.
Wakatarira pahwindo, akadana, Mai vaSisera vakadana pautanda hwaro; Ngoro yake inononokereiko kusvika?Makumbo engoro dzake anononokereiko?
Vakadzi vake, vakakudzwa, vakachenjera, vakamupindura, Naiye amene wakazvipindura, achiti,
Havana kuwana here zvavakapamba, havana kuzvigovana here? Zvimwe murume mumwe nomumwe unopiwa musikana mumwe, kana vasikana vaviri; Zvimwe Sisera uchapiwa nguvo dzakapambwa dzamavara-vara, nguvo dzakapambwa dzemicheka yakarukwa yamavara-vara, nguvo dzamavara-vara dzakarukwa kunhivi dzose, dzakafanira mitsipa yavakapamba?
Saizvozvo vavengi venyu vose ngavaparadzwe, Jehovha; Asi ivo vanokudai ngavave sezuva, kana richibuda nesimba raro! Nyika ikazorora makore ana makumi mana.

6

Zvino vana vaIsiraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, Jehovha akavaisa mumaoko aMidhiani makore manomwe.
Midhiani akakunda Isiraeri; vana vaIsiraeri vakazviitira pokuvanda pamakomo, namapako, nenhare, nokuda kwaMidhiani.
Nokuti vaIsiraeri vakati kana vakusha, vaMidhiani navaAmareki navana vamabvazuva ndokukwira kuzorwa navo.
Vakadzika matende avo pakatarisana navo, ndokuparadza zvibereko zveminda kusvikira paGaza; havana kusiyira vaIsiraeri zvokudya kana makwai kana mombe, kana mbongoro.
Nokuti vaikwira nezvipfuwo zvavo, namatende avo; vaiuya vakawanda semhashu, vasingagoni kuverengwa, ivo namakamera avo; vaipinda munyika kuti vaiparadze.
VaIsiraeri vakava varombo kwazvo nokuda kwaMidhiani; zvino vana vaIsiraeri vakachema kuna Jehovha.
Zvino vana vaIsiraeri vakati vachichema kuna Jehovha nokuda kwaMidhiani,
Jehovha akatuma muporofita kuvana vaIsiraeri; iye akati kwavari, Zvanzi naJehovha Mwari walsiraeri, Ndakakukwidzai, ndichikubudisai paIjipiti, nokukubudisai paimba youranda;
ndikakurwirai mumaoko avaIjipiti, nomumaoko avose vaikumanikidzai, ndikavadzinga pamberi penyu, ndikakupai nyika yavo;
ndikati kwamuri, Ndini Jehovha Mwari wenyu; hamufaniri kutya vamwari vavaAmori, vamugere munyika yavo; asi hamuna kuteerera inzwi rangu.
Zvino mutumwa waJehovha wakasvika, akagara pasi pomuouki wakanga uri paOfura, waiva waJoashi, muAbhiezeri; Gidheoni mwanakomana wake, wakanga achipura zviyo pachisviniro chewaini, kuti azvivanze nokuda kwavaMidhiani.
Ipapo mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari, akati kwaari, Jehovha anewe, iwe murume ane simba noumhare.
Gidheoni akati kwaari, Haiwa, Ishe wangu, kana Jehovha anesu, ko izvi zvose zvakagotiwirireiko? Zviripiko zvishamiso zvake zvose, zvataiudzwa namadzibaba edu, achiti, Jehovha haana kutikwidza here, achitibudisa paIjipiti? Asi zvino Jehovha wakatirasha, akatiisa mumaoko avaMidhiani.
Ipapo Jehovha akatendeukita kwaari, akati, Enda nesimba rako iri, undoponesa Isiraeri pamaoko aMidhiani, handizini ndakakutuma here?
Akati kwaari, Haiwa, Ishe, ndichagoponesa Isiraeri neiko? Tarirai rudzi rwangu ruduku kuna vose paManase, neni ndiri muduku kuna vose paimba yababa vangu.
Jehovha akati kwaari, Zvirokwazvo, ini ndichava newe, iwe uchakunda vaMidhiani somunhu mumwe.
Akati kwaari, Kana ndawana nyasha pamberi penyu zvino, ndiratidzei chiratidzo kuti ndimwi munotaura neni.
Regai henyu kubva pano, kusvikira ndadzokera kwamuri, ndikuvigirei chipo changu, ndichiise pamberi penyu. Iye akati, Ndichagara pano kusvikira wadzokazve.
Ipapo Gidheoni akapinda, akandogadzira mbudzana nezvingwa zvisina kuviriswa zveefa imwe youpfu; akaisa nyama mudengu, nokudira muto muhari; akamuvigira izvozvo pasi pomuouki, ndokumupa izvozvo.
Asi mutumwa waJehovha akati kwaari, Tora nyama nezvingwa zvisina kuviriswa, uzviise padombo iri, ugodururawo muto. Iye akaita saizvozvo.
Zvino mutumwa waJehovha ndokutambanudza muromo wetsvimbo, yakanga iri muruoko rwake, akagunzva nyama nezvingwa zvisina kuviriswa, moto ukabuda padombo, ukapedza nyama nezvingwa zvisina kuviriswa. Mutumwa waJehovha ndokunyangarika pamberi pake.
Ipapo Gidheoni akaona kuti mutumwa waJehovha. Gidheoni akati, Haiwa, Jehovha Mwari! Nokuti ndaona mutumwa waJehovha zviso zvakatarisana.
Asi Jehovha wakati kwaari, Rugare ngaruve newe, usatya, haungafi.
Ipapo Gidheoni akavakirapo Jehovha atari, akaitumidza zita rinonzi Jehovha-sharomi; ichiripo paOfura ravaAbhiezeri kusvikira nhasi.
Zvino nousiku ihwohwo Jehovha akati kwaari, Tora nzombe yababa vako, iya yechipiri ina makore manomwe, uputse atari yaBhaari yababa vako, utemewo danda rokunamata naro riripo.
Uvakire Jehovha Mwari wako atari pamusoro penhare iyi, nomutoo wakafanira, ugotora nzombe iyo yechipiri, ubayire chipiriso chinopiswa nehuni dzedanda rokunamata naro raunofanira kutema.
Ipapo Gidheoni akatora varume vane gumi kuvaranda vake, akaita sezvaakaudzwa naJehovha; asi haana kuita izvozvo masikati, asi wakazviita usiku, nokuti wakatya veimba yababa vake navarume veguta.
Zvino varume veguta vakati vachimuka mangwanani, vakaona atari yaBhaari yaputswa, nedanda rokunamata naro raivapo ratemwa, nenzombe yechipiri yabayirwa paatari yakanga yavakwapo.
Vakataurirana, vakati, Ndianika wakaita chinhu ichi? Vakati vachinzvera nokubvunzisisa, zvikanzi, Gidheoni mwanakomana waJoashi, ndiye wakaita chinhu ichi.
Zvino varume veguta vakati kuna Joashi, Budisa mwanakomana wako, afe, nokuti waputsa atari yaBhaari, uye watema danda rokunamata naro raivapo pairi.
Asi Joashi wakati kuna vose vakanga vachimupopotera, Moda kurwira Bhaari kanhi? Moda kumuponesa? Unomurwira uchaurawa mangwanani ano; kana ari mwari, ngaazvirwire amene, zvaakaputsirwa atari yake nomunhu.
Saka nomusi iwoyo akamutumidza zita rinonzi Jerubhaari, achiti, Bhaari ngaarwe naye, zvaakaputsa atari yake.
Zvino vaMidhiani vose navaAmareki navana vamabvazuva vakaungana, vakayambuka, vakadzika matende avo pamupata weJezereeri.
Asi Mweya waJehovha wakasvika pamusoro paGidheoni, akaridza hwamanda, vaAbhiezeri vakaungana vakamutevera.
Akatuma nhume pakati pavaManase vose, naivo vakaungana vakamutevera; akatumawo nhume kuna Asheri, naZebhuruni, naNafutari, naivo vakakwira kuzosangana navo.
Ipapo Gidheoni akati kuna Mwari, Kana muchida kuponesa Isiraeri noruoko rwangu, sezvamakataura,
tarirai, ndichaisa debwe rine mvere paburiro; kana kukava nedova padebwe bedzi, pasi pose pakaoma, ndichaziva kuti munoda kuponesa Isiraeri noruoko rwangu, sezvamakataura.
Zvikava saizvozvo; nokuti wakamuka mangwanani, akambundanidza debwe, akasvina mvura padebwe, ikazadza mbiya.
Zvino Gidheoni akati kuna Mwari, Regai henyu kunditsamwira, kana ndikataurazve kamwe chete; nditenderei ndiidzezve kamwe chete nedebwe; zvino padebwe bedzi pave pakaoma, asi pasi pose pave nedova.
Mwari akaita saizvozvo usiku uhwo; nokuti padebwe bedzi pakanga pakaoma, asi dova rakanga riri pasi pose.

7

Zvino Jerubhaari, ndiye Gidheoni, wakamuka mangwanani, iye navanhu vose vaiva naye, vakandodzika matende avo patsime reHarodhi; misasa yaMidhiani yakanga iri nechokumusoro kwavo, pachikomo cheMore pamupata.
Jehovha akati kuna Gidheoni, Vanhu vaunavo vakawandisa, kuti ndiise vaMidhiani mumaoko avo; kuti vaIsiraeri varege kuzvikudza pamberi pangu, vachiti, Maoko edu ndiwo akatiponesa.
Naizvozvo zvino, enda undoparidza vanhu vazvinzwe, uti, Ani naani unotya, unodedera, ngaadzoke hake, abve pagomo reGiriyadhi. Vanhu vane zviuru zvina makumi maviri nezviviri vakadzoka, vakasara vane zviuru zvine gumi.
Ipapo Jehovha akati kuna Gidheoni, Nazvino vanhu vachiri vazhinji, enda navo kumvura ndivaidzepo; zvino kana ndikati kwauri, Uyu anofanira kuenda newe, ndiye uchaenda newe; asi kana ndikati kwauri, Uyu haafaniri kuenda newe, iye haangaendi.
Ipapo akaenda navanhu kumvura; Jehovha akati kuna Gidheoni, Mumwe nomumwe unokapa mvura norurimi sezvinokapa imbwa, unofanira kumuisa kurutivi ari oga; saizvozvowo mumwe nomumwe unopfugama pamabvi ake pakunwa.
Zvino vanhu vakanga vakapa, vachiisa maoko avo kumiromo, vakasvika varume vana mazana matatu; asi vamwe vose vakapfugama pamabvi avo pakunwa mvura.
Ipapo Jehovha akati kuna Gidheoni, Ndichakuponesai navarume ava vana mazana matatu vakakapa mvura, nokuisa vaMidhiani muruoko rwako; vanhu vose ngavaende havo, mumwe nomumwe kutende rake.
Naizvozvo vanhu vakatora mbuva yavo mumaoko avo, nehwamanda dzavo; akaendisa vamwe varume vose vaIsiraeri, mumwe nomumwe kutende rake, asi wakasara navana mazana matatu; misasa yaMidhiani yakanga iri pasi pake mumupata.
Zvino nousiku uhwo Jehovha akati kwaari, Simuka, uburukire kumisasa, nokuti ndakavaisa muruoko rwako.
Asi kana uchitya kuburuka, uburuke kumisasa una Pura muranda wako;
ugondonzwa zvavanotaura; shure kwaizvozvo maoko ako achasimbiswa kuburukira kumisasa. Ipapo akaburuka ana Pura muranda wake, kusvikira kumudzivo wavarwi, vakanga vari pamisasa.
Zvino vaMidhiani navaAmareki navana vose vamabvazuva vakanga vari mumupata, vakawanda semhashu; namakamera avo akanga asingagoni kuverengwa, akanga akawanda sejecha riri pamhenderekedzo dzegungwa.
Zvino Gidheoni wakati asvika, akanzwa munhu wakanga achirondedzera kurota kwake kushamwari yake, akati, Tarira, ndarota hope, ndikaona chingwa chakabikwa chebhari chichikungurukira kumisasa yaMidhiani, chikasvika patende, ndokurirova rikawa; chikaritsindikira, tende rikavata pasi.
Shamwari yake ikapindura, ikati, Hachizi chimwe chinhu, asi ndiwo munondo waGidheoni, mwanakomana waJoashi, murume waIsiraeri, Mwari wakaisa Midhiani nehondo yose muruoko rwake.
Zvino Gidheoni wakati achinzwa kurondedzerwa kwokurota uku nokududzirwa kwako, akanamata; akadzokera kumisasa, akati, Simukai, nokuti Jehovha wakaisa misasa yaMidhiani mumaoko enyu.
Zvino akakamura varume avo vana mazana matatu, akaita mapoka matatu, akapa mumwe nomumwe hwamanda muruoko rwake, nezvirongo zvisine chiro, nezhenje mukati mezvirongo.
Akati kwavari, Mutarire kwandiri, mugoita seni; tarirai, kana ndichisvika kumudzivo wemisasa, sezvandinoita ini, nemiwo muite saizvozvo.
Kana ndoridza hwamanda ini navose vandinavo, nemiwo muridze hwamanda kunhivi dzose dzemisasa, muchiti, Munondo waJehovha nowaGidheoni!
Naizvozvo Gidheoni navarume vane zana vaakanga anavo, vakasvika kumudzivo wemisasa pakutanga kwenguva yapakati yousiku, vachangoisa varindi, vakaridza hwamanda, vakaputsa zvirongo zvakanga zviri mumaoko avo.
Ipapo mapoka matatu akaridza hwamanda, vakaputsa zvirongo, vakabata zhenje mumaoko avo oruboshwe, nehwamanda dzokuridza mumaoko avo orudyi, vakadanidzira vachiti, munondo waJehovha nowaGidheoni!
Vakamira mumwe nomumwe panzvimbo yake, vakakomba misasa; hondo yose ikamhanya, vakaridza mhere, vakatiza.
Vakaridza hwamanda dzina mazana matatu, Jehovha akarwisa munondo womumwe nomumwe neshamwari yake, uye nehondo yose; hondo ikatiza kusvikira paBhetishita kurutivi rweZerera, kusvikira kumuganhu weAbherimehora, paTabhati.
Zvino varume vaIsiraeri vakaungana, vachibva kwaNafutari, nokwaAsheri, nokwaManase, vakatevera Midhiani.
Gidheoni akatuma nhume panyika yose yamakomo yaEfuremu, akati, Burukai mundorwa naMidhiani, muvatangire kugarira nzizi dzemvura kusvikira paBheti-bhara neJorodhaniwo.
Vakabata machinda maviri aMidhiani, Orebhi naZeebhi, vakauraya Orebhi padombo raOrebhi, naZeebhi, vakamuuraya pachisviniro chewaini chaZeebhi, vakatevera vaMidhiani; vakauya nemisoro ya Orebhi naZeebhi kuna Gidheoni mhiri kwaJorodhani.

8

Zvino varume vaEfuremu vakati kwaari, Watiitireiko, zvausina kutidana nguva yawakandorwa naMidhiani? Vakamupopotera kwazvo.
Akati kwavari, Ini zvino ndaiteiko hangu, kana ndichizvifananidza nemi? Handiti zvakaunganidzwa naEfuremu zvinopfuura kukohwa kwose kwaAbhiezeri here?
Mwari wakaisa machinda maviri aMidhiani, Orebhi naZeebhi, mumaoko enyu; zvino ini ndaigona kuiteiwo, kana ndichizvifananidza nemi? Ipapo kutsamwa kwavo kwakanyarara kwaari, avaudza izvozvo.
Gidheoni akasvika paJorodhani, akayambuka, iye navarume vana mazana matatu vaakanga anavo; vakanga vaneta, kunyange zvakadaro vakanga vachiteverera havo.
Akati kuvarume veSukoti, Ipai henyu vanhu ava vanonditevera mapundu ezvingwa, nokuti vaneta; ndinoteverera Zebha naZarimuna, madzimambo aMidhiani.
Machinda eSukoti akati, Ko Zebha naZarimuna vatokundwa newe here, zvowoti, tipe hondo yako chingwa?
Gidheoni akati, Saka, kana Jehovha akaisa Zebha naZarimuna muruoko rwangu, ndichapura nyama yenyu neminzwa yomurenje norukato.
Akabvapo, akakwira Penueri, akandotaura navo saizvozvo. Varume vePenueri vakamupindura sezvakapindura varume veSukoti.
Akataurawo navarume vePenueri, akati, Kana ndikadzoka norugare, ndichaputsa rusvingo urwu.
Zvino Zebha naZarimuna vakanga vari Karikori, vane hondo dzavo varume vane zviuru zvine gumi nezvishanu; ndivo vose vakanga vakasara pahondo yose yavana vamabvazuva; nokuti varume vane zviuru zvina makumi matatu, vaigona kurwa nomunondo, vakanga vaurawa.
Gidheoni akakwira nenzira yavaigara pamatende, nokumabvazuva kweNobha neJogobheha, akakunda hondo, nokuti hondo yakanga yakafara.
Ipapo Zebha naZarimuna vakatiza, iye akavateverera; akabata madzimambo maviri aMidhiani, Zebha naZarimuna, akavhundusa hondo yose.
Gidheoni, mwanakomana waJoashi, akadzoka pakurwa pamukwidza weHeresi.
Akabata jaya ravarume veSukoti, akamubvunzisisa; iye akamunyorera mazita amachinda eSukoti, navakuru varo, varume vana makumi manomwe navanomwe.
Akasvika kuvarume veSukoti, akati, Tarirai, Zebha naZarimuna, vamakandiseka pamusoro pavo, muchiti, Ko Zebha naZarimuna vatokundwa newe here, zvowoti, tipe varume vako vaneta chingwa?
Ipapo akatora vakuru veguta, neminzwa yomurenje norukato, akapura varume veSukoti nazvo.
Akaputsa rusvingo rwePenueri, akauraya varume veguta.
Ipapo akati kuna Zebha naZarimuna, Varume vamakauraya paTabhori vakanga vakadiniko? Vakapindura, vakati, Sezvamakaita imwi, ndizvo zvavakanga vakaita ivo; mumwe nomumwe wakanga akafanana nomwana wamambo.
Akati, Vakanga vari vanununa vangu, vanakomana vamai vangu; naJehovha mupenyu, dai makavarega vari vapenyu, ndingadai ndisina kukuurayai imwi.
Zvino akati kuna Jeteri, dangwe rake, Simuka, uvauraye. Asi jaya harina kuvhomora munondo waro, nokuti rakatya, zvarakanga richiri mukomana.
Ipapo Zebha naZarimuna vakati, Simukai imwi, mutiuraye, nokuti sezvakaita murume, ndizvo zvakaita simba rake. Ipapo Gidheoni akasimuka, akauraya Zebha naZarimuna, akatora zvishongo zvakanga zvakafanana nomwedzi, zvakanga zviri pamitsipa yamakamera avo.
Zvino varume vaIsiraeri vakati kuna Gidheoni, Mutibate ushe imwi nomwanakomana wenyu, nomwanakomana womwanakomana wenyuwo, nokuti makatiponesa pamaoko avaMidhiani.
Gidheoni akati kwavari, Ini handingakubatiyi ushe, kunyange mwanakomana wangu haangakubatiyi ushe; Jehovha ndiye uchakubatai.
Gidheoni akati kwavari, Ndinoda kukumbira chinhu chimwe kwamuri: Mumwe nomumwe wenyu ngaandipe zvindori zvemhino zviri pakati pezvakapambwa zvake. (Nokuti vakanga vane zvindori zvemhino zvendarama, nokuti vakanga vari vaIshimaeri.)
Vakapindura vakati, Tichakupai izvo nomoyo wose! Ipapo vakawarira nguvo, mumwe nomumwe akakandirapo zvindori zvemhino, zvakanga zviri pakati pezvakapambwa zvavo.
Zvindori izvo zvemhino zvendarama, zvaakakumbira kwavari, pakurema kwazvo zvikasvika mashekeri ane chiuru chimwe namazana manomwe endarama; asi havana kuverenga zvishongo zvakanga zvakafanana nomwedzi, nezvindori zvaishongwa, nenguvo shava dzaifukwa namadzimambo aMidhiani; havana kuverengawo uketani hwakanga hwuri pamitsipa yamakamera avo.
Gidheoni akaita efodhi nazvo, akaiisa muguta rake, ipo paOfura; vaIsiraeri vose vakapata vachiitevera ipapo; ukava musungo kuna Gidheoni nokuna veimba yake.
Saizvozvo vaMidhiani vakakundwa pamberi pavana vaIsiraeri, havana kuzosimudzazve misoro yavo. Nyika ikazorora makore ana makumi mana pamazuva aGidheoni.
Zvino Jerubhaari, mwanakomana waJoashi, akandogara mumba make.
Gidheoni wakanga ana vanakomana vana makumi manomwe vakanga vaberekwa naye, nokuti wakanga ana vakadzi vazhinji;
uye nomurongo wake, wakanga ari paShemi, wakamuberekera mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Abhimereki.
Gidheoni, mwanakomana waJoashi, akafa akwegura, akavigwa mubwiro hwaJoashi baba vake paOfura ravaAbhiezeri.
Zvino Gidheoni wakati achangofa, vana valsiraeri vakadzokera shure, vakapata vachitevera vaBhaari, vakaita Bhaari-bheriti mwari wavo.
Vana vaIsiraeri vakasarangarira Jehovha Mwari wavo, iye wakanga avarwira mumaoko avavengi vavo vose kunhivi dzose;
uye havana kuitira veimba yaJerubhaari, iye Gidheoni, zvakanaka pamusoro pezvose zvakanaka zvaakanga aitira vaIsiraeri.

9

Zvino Abhimereki, mwanakomana waJerubhaari, wakaenda Shekemu, kuna madzisekuru ake, akataurirana navo uye norudzi rwose rweimba yababa vamai vake, akati,
Taurirai henyu, varume vose veShekemu vanzwe, muti, Chinhu chakanaka ndechipiko, kuti mubatwe ushe navanakomana vose vaJerubhaari vanosvika vanhu vana makumi manomwe, kana mubatwe nomunhu mumwe chete? Rangariraiwo kuti ini ndiri pfupa renyu nenyama yenyu.
Zvino madzisekuru ake akataura mashoko awa ose pamusoro pake, varume veShekemu vachizvinzwa; moyo yavo ikada kutevera Abhimereki, nokuti vakati, Ihama yedu.
Vakamupa mari yesirivha yakasvika mashekeri ana makumi manomwe, yavakatora paimba yaBhaari-bheriti, Abhimereki akaripira varume vakaipa, vasine hanya, ivo vakamutevera.
Akaenda kumba kwababa vake paOfura, akauraya pabwe rimwe vana vababa vake, ivo vanakomana vaJerubhaari, vaiva varume vana makumi manomwe; asi Jotamu, mwanakomana worugotwe waJerubhaari wakapukunyuka, nokuti wakanga avanda.
Zvino varume vose veShekemu vakaungana pamwechete navose veimba yaMiro, vakandoita Abhimereki mambo pamuouki weshongwe yakamiswa paShekemu.
Vakati vaudza Jotamu izvozvo, iye akaenda, akandomira pamusoro pegomo reGerizimi, akadana nenzwi guru, akati kwavari, Mundinzwei, imi varume veShekemu, kuti Mwari akunzweiwo imi.
Imwe nguva miti yakandozvizodzera mambo wayo; ikati kumuorivhi, Iva mambo wedu iwe.
Asi muorivhi wakati kwairi, Ko ini ndingarega mafuta angu, anorumbidzwa naMwari navanhu mandiri ndipepere uko nokoko pamusoro pemiti here?
Zvino miti ikati kumuonde, Uya iwe, uve mambo wedu.
Asi muonde, wakati kwairi ko ini ndingarega kutapira kwangu nemichero yangu yakanaka, ndipepere uko nokoko pamusoro pemiti here?
Zvino miti ikati kumuzambiringa, Uya iwe, uve mambo wedu.
Muzambiringa ukati kwairi, Ko ini ndingarega waini yangu, inofadza Mwari navanhu, ndipepere uko nokoko pamusoro pemiti here?
Ipapo miti yose yakati kurukato, Uya iwe, uve mambo wedu.
Rukato rukati kumiti, Kana mukandizodza kuti ndive mambo wenyu zvirokwazvo, chiuyai muvande pamumvuri wangu; kana musingadi, moto ngaubude parukato, uparadze misidhari yeRebhanoni.
Saka zvino kana makaita zvakanaka nezvakarurama, zvamakaita Abhimereki mambo wenyu, uye kana makaitira Jerubhaari sezvaakafanirwa pamusoro pezvaakakuitirai,
(nokuti baba vangu vakakurwirai, vasingarangariri upenyu hwavo, vakakurwirai mumaoko avaMidhiani;
imwi mukamukira nhasi imba yababa vangu, mukauraya pabwe rimwe vanakomana vake, vanhu vana makumi manomwe, mukaita Abhimereki, mwanakomana womurandakadzi wake, mambo wavarume veShekemu, zvairi hama yenyu;)
kana makaitira Jerubhaari neimba yake zvakanaka nezvakarurama nhasi, chifarirai henyu Abhimereki, naiye akufarireiwo;
asi kana zvisina kunaka, moto ngaubude kuna Abhimereki, uparadze varume veShekemu, naveimba yaMiro; uye moto ngaubude kuvarume veShekemu, naveimba yaMiro, uparadze Abhimereki.
Ipapo Jotamu akamhanya, akatiza, akandogara paBheeri, nokuti wakatya Abhimereki mukuru wake.
Abhimereki akabata ushe pavaIsiraeri makore matatu.
Mwari akazotuma mweya wakaipa pakati paAbhimereki navarume veShekemu; varume veShekemu vakanyengera Abhimereki;
kuti zvakashata zvakaitirwa vanakomana vaJerubhaari vana makumi manomwe zvitsibwe, neropa ravo ritsibwe kuna Abhimereki, munununa wavo wakavauraya, nokuvarume veShekemu vakanga vasimbisa maoko ake kuti auraye vana vababa vake.
Varume veShekemu vakaisa vanhu vakamuvandira pamusoro pamakomo, vakapamba vose vakanga vachipfuura kwavari nenzira iyo; Abhimereki akaudzwa izvozvo.
Zvino Gaari mwanakomana waEbhedhi, wakauya nehama dzake, vakaenda Shekemu; varume veShekemu vakavimba naye.
Vakabudira kuminda yavo, vakakohwa mazambiringa avo vakatsika-tsika mazambiringa, vakatamba mutambo, ndokupinda mumba mamwari wavo, vakadya, vakanwa, vakatuka Abhimereki.
Zvino Gaari mwanakomana waEbhedhi, akati, Abhimereki ndianiko, Shekemu ndianiko, kuti timushumire? Haazi mwanakomana waJerubhaari here? NaZebhuri haazi munyai wake here? imwi shumirai henyu varume vaHamori, baba vaShekemu; asi isu tichamushumireiko?
Haiwa, dai vanhu ava vaiva muruoko rwangu, ndaidzinga Abhimereki. Zvino akati kuna Abhimereki, Wedzera hondo yako, ubude kuzorwa.
Zvino Zebhuri mubati weguta, wakati achinzwa mashoko aGaari mwanakomana waEbhedhi, akatsamwa kwazvo.
Akatuma nhume kuna Abhimereki nokunyengera, akati, Tarira, Gaari, mwanakomana waEbhedhi nehama dzake vasvika paShekemu; tarira vanokurudzira guta kurwa newe.
Saka zvino chimuka usiku, iwe navanhu vaunavo, muvande musango.
Zvino mangwanani, zuva richangobuda, unofanira kufumira kundovamba guta; kana iye navanhu vaanavo vachibuda kuzorwa newe, iwe ungaita navo sezvaunoda.
Ipapo Abhimereki akamuka usiku, iye navanhu vose vaakanga anavo, vakandovandira Shekemu vakaita mapoka mana.
Zvino Gaari, mwanakomana waEbhedhi, akamira pavanopinda napo pasuo reguta; Abhimereki akasimuka, iye navanhu vaakanga anavo pavakanga vakavandira.
Zvino Gaari wakati achiona vanhu, akati kuna Zebhuri, Tarira, kuna vanhu vanoburuka vachibva kumusoro kumakomo. Zebhuri akati kwaari, Unoona hako mimvuri yamakomo, yakafanana navanhu.
Gaari akapamhidzazve, akati, Tarira, kuna vanhu vanoburuka vachibva kurutivi rwokumusoro, nerimwe boka rinouya richibva nenzira yomuouki weMeonenimi.
Ipapo Zebhuri akati kwaari, Zvino muromo wako uripi, zvawakanga uchiti, Abhimereki ndianiko, kuti timushumire? Ko ava havazi vanhu avo vawakazvidza here? Zvino chiburuka hako undorwa navo.
Ipapo Gaari akabuda pamberi pavarume veShekemu, akandorwa naAbhimereki.
Abhimereki akadzingana naye, akatiza pamberi pake, vazhinji vakaurawa kusvikira pavanopinda napo pasuo.
Abhimereki akagara paAruma, Zebhuri akadzinga Gaari nehama dzake, kuti varege kuzogara paShekemu.
Zvino fume mangwana vanhu vakabuda kusango; vakaudza Abhimereki.
Iye akatora vanhu akavakamura, akaita mapoka matatu, akandovavandira kusango; akatarira, akaona vanhu vachibuda muguta, akasimuka, akandorwa navo, akavauraya.
Abhimereki namapoka akanga anaye, vakamhanya, vakandomira pavanopinda napo pasuo reguta; namapoka maviri akamhanyira kuna vose vakanga vari kusango, vakavauraya.
Abhimereki akarwa neguta musi iwoyo wose, akakunda guta, akauraya vanhu vakanga varimo; akaputsa guta, ndokurikusha munyu.
Zvino varume vose vorusvingo rweShekemu vakati vazvinzwa, vakapinda munhare, mumba maEri-bheriti.
Abhimereki akaudzwa kuti varume vose vorusvingo rweShekemu vaungana pamwechete.
Abhimereki akakwira pagomo reZarimoni, iye navanhu vose vaakanga anavo; Abhimereki akatora masanhu muruoko rwake, akatema davi romuti, akarisimudza, akariisa pafudzi rake; akati kuvanhu vaakanga anavo, Kurumidzai, muite sezvamakaona ndichiita ini.
Ipapo vanhu vose vakatema mumwe nomumwe davi rake, vakatevera Abhimereki; vakaaisa kunhare, vakapisa nhare nomoto, ivo varimo, naizvozvo vanhu vose vakanga vari murusvingo rweShekemu vakafa, vanenge chiuru chimwe chavarume navakadzi.
Zvino Abhimereki akaenda Tebhezi, akamisa misasa yavo paTebhezi, akarikunda.
Asi mukati meguta makanga muno rusvingo rwakanga rwakasimba, varume navakadzi vose vakatiziramo, vose vakanga vari muguta vakazvipfigiramo, vakakwira kudenga rorusvingo.
Abhimereki akasvika parusvingo, akarwa narwo, akaswedera pedo nomukova worusvingo, kuti arupise nomoto.
Ipapo mumwe mukadzi akakanda guyo pamusoro waAbhimereki, akaputsa dehenya rake.
Ipapo akakurumidza kudana jaya raitakura nhumbi dzake dzokurwa nadzo, akati kwariri, Vhomora munondo wako, undiuraye, kuti vanhu varege kuzoti, Wakaurawa nomukadzi. Jaya rake rikamubaya, akafa.
Zvino varume vaIsiraeri vakati vachiona kuti Abhimereki wafa, vakaenda mumwe nomumwe kumba kwake.
Saizvozvo Mwari akatsiva zvakashata zvaAbhimereki zvaakaitira baba vake, zvaakauraya vana vababa vake vana makumi manomwe,
nezvakashata zvose zvavarume veShekemu zvakatsibwa naMwari kwaari; kutuka kwaJotamu mwanakomana waJerubhaari, kukaitika kwavari.

10

Shure kwaAbhimereki, Tora mwanakomana waPua, mwanakomana waDhodho, murume waIsakari, wakamuka akaponesa Isiraeri; iye waigara paShamiri panyika yamakomo yaEfuremu.
Iye akatonga vaIsiraeri makore ana makumi maviri namatatu, akafa; akavigwa paShamiri.
Shure kwake Jairi muGiriyadhi wakamuka, iye akatonga vaIsiraeri makore ana makumi maviri namaviri.
Wakanga ana vanakomana vana makumi matatu, vaitasva vana vembongoro vana makumi matatu, uye vakanga vana maguta ana makumi matatu, anonzi Havhori-jairi kusvikira nhasi, ari munyika yeGiriyadhi.
Jairi akafa, akavigwa paKamoni. Valsiraeri vanotambudzwa navaFirisitia navaAmori
Vana vaIsiraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, vakashumira vaBhaari navaAshitaroti navamwari vavaSiria, navamwari veSidhoni, navamwari vaMoabhu, navamwari vavana vaAmoni, navamwari vavaFirisitia; vakarasha Jehovha, vakasamushumira.
Ipapo kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vaIsiraeri, akavatengesa mumaoko avaFirisitia, nomumaoko avana vaAmoni.
Ivo vakanetsa nokumanikidza vana vaIsiraeri gore iro; vakamanikidza vana vaIsiraeri vose vakanga vagere mhiri kwaJorodhani munyika yavaAmori, yaiva paGiriyadhi, makore ane gumi namasere.
Zvino vana vaAmoni vakayambuka Jorodhani , vakarwawo navaJudha, navaBhenjamini, uye neimba yavaEfuremu; naizvozvo vaIsiraeri vakamanikidzwa kwazvo.
Zvino vaIsiraeri vakachema kuna Jehovha, vakati, Takakutadzirai imwi, nokuti takarasha Mwari wedu, tikashumira vaBhaari.
Jehovha akati kuvana vaIsiraeri, Handina kukuponesai here pavaIjipiti, navaAmori, navana vaAmoni, navaFirisitia?
VaSidhoni, navaAmareki, navaMaoni vakakutambudzaiwo, imwi mukachema kwandiri, ndikakuponesai pamaoko avo.
Kunyange zvakadaro makandirasha, mukandoshumira vamwe vamwari; naizvozvo handina kukuponesaizve.
Endai mundochema henyu kuvamwari vamakazvisanangurira; ivo ngavakuponesei panguva yokutambudzika kwenyu.
Vana vaIsiraeri vakati kuna Jehovha, Takatadza; tiitirei henyu sezvamunofunga, asi tinokumbira kuti mutirwirei henyu nhasi.
Ipapo vakarasha vamwari vatorwa vakanga vari pakati pavo, vakashumira Jehovha; moyo wake ukachema pamusoro pokutambudzika kwavaIsiraeri.
Zvino vana vaAmoni vakanga vaungana, vakadzika matende avo paGiriyadhi. Vana vaIsiraeri vakaunganawo, vakadzika matende avo paMizipa.
Zvino vanhu, iwo machinda aGiriyadhi, vakataurirana, vakati, Ndianiko munhu uchatanga kurwa navana vaAmoni? Iye uchava mukuru wavose vagere Giriyadhi.

11

Zvino Jefuta muGiriyadhi, wakanga ari munhu ane simba noumhare, asi wakanga ari mwanakomana wechifeve; Giriyadhi ndiye wakabereka Jefuta.
Mukadzi waGiriyadhi akamuberekera vanakomana; zvino vanakomana vomukadzi wake vakati vakura, vakadzinga Jefuta, vakati kwaari, Haungadyi nhaka mumba mababa vedu, nokuti uri mwanakomana womumwe mukadzi.
Ipapo Jefuta akatiza vanununa vake, akandogara panyika yeTobhi; varume vakaipa vakaunganira kuna Jefuta, vakasibuda naye kundorwa.
Zvino nguva yakati yapfuura, vana vaAmoni vakandorwa navalsiraeri,
Zvino vana vaAmoni vakati vorwa navaIsiraeri, vakuru veGiriyadhi vakandotora Jefuta panyika yeTobhi.
Vakati kuna Jefuta, Uya, uve ishe wedu, kuti tindorwa navana vaAmoni.
Jefuta akati kuvakuru veGiriyadhi, Hamuna kundivenga mukandidzinga mumba mababa vangu here? Zvino mauyireiko kwandiri, zvamava munjodzi?
Vakuru veGiriyadhi vakati kuna Jefuta, Naizvozvo tadzokera kwauri, kuti uende nesu kundorwa navana vaAmoni, iwe ugova mukuru wedu nowavose vagere Giriyadhi.
Jefuta akati kuvakuru veGiriyadhi, Kana muchindidzosa kuti ndirwe navana vaAmoni, kana Jehovha akavaisa mumaoko angu, ndichava mukuru wenyu here?
Vakuru veGiriyadhi vakati kuna Jefuta, Jehovha ngaave chapupu pakati pedu; zvirokwazvo tichaita sezvawataura iwe.
Zvino Jefuta akaenda navakuru veGiriyadhi, vanhu vakamuita mukuru nashe wavo; Jefuta akataura mashoko ake ose pamberi paJehovha paMizipa.
Zvino Jefuta akatuma nhume kuna mambo wavana vaAmoni, akati, Mhosva yako ndeyeiko, zvawauya kuzorwa neni nenyika yangu?
Mambo wavana vaAmoni akapindura nhume dzaJefuta, akati, Nokuti vaIsiraeri vakatora nyika yangu, nguva yavakabva Ijipiti, kubva paArinoni kusvikira paJabhoki neJorodhani, saka zvino chidzosai nyika idzo norugare.
Ipapo Jefuta akatumazve nhume kuna mambo wavana vaAmoni,
akati kwavari, Zvanzi naJefuta, VaIsiraeri havana kutora nyika yaMoabhu, kana nyika yavana vaAmoni;
asi panguva yakakwira valsiraeri vachibva Ijipiti, vakafamba murenje kusvikira paGungwa Dzvuku, vakasvika paKadheshi,
vaIsiraeri vakatuma nhume kuna mambo waEdhomu, vachiti, Nditenderei henyu kupfuura napanyika yenyu; asi mambo waEdhomu wakaramba kunzwa. Saizvozvo akatumawo nhume kuna mambo waMoabhu; asi iye wakaramba; zvino vaIsiraeri vakagara paKadheshi.
Ipapo vakafamba nomurenje, vakapota nyika yaEdhomu nenyika yaMoabhu, vakaenda nokumabvazuva enyika yaMoabhu, vakadzika matende avo nechemhiri kwaArinoni; asi havana kudarika muganhu waMoabhu, nokuti Arinoni waiva muganhu waMoabhu.
Ipapo vaIsiraeri vakatuma nhume kuna Sihoni, mambo wavaAmori, mambo weHeshibhoni; vaIsiraeri vakati kwaari, Titenderei henyu kupfuura napanyika yenyu, kusvikira panzvimbo yedu.
Asi Sihoni haana kutenda vaIsiraeri kuti vadarike muganhu wake; Sihoni akaunganidza vanhu vake vose, akandodzika matende ake paJahazi, akarwa navalsiraeri.
Zvino Jehovha Mwari wavaIsiraeri akaisa Sihoni navanhu vake vose mumaoko avaIsiraeri vakavauraya; naizvozvo vaIsiraeri vakatora nyika yose yavaAmori, vakanga vagere munyika ivo, ikava yavo.
Nyika yose yavaAmori ikava yavo, kubva paArinoni kusvikira paJabhoki, kubva kurenje, kusvikira paJorodhani.
Saka zvino Jehovha Mwari wavaIsiraeri ndiye wakatorera vaAmori nyika yavo pamberi pavanhu vake vaIsiraeri, zvino imwi moda kuvatorerazve here?
Ko imwi hamungatori izvo zvamunopiwa namwari wenyu Kemoshi here, nesuo titore nyika yavose vanodzingwa pamberi pedu naJehovha Mwari wedu?
Ko zvino imwi makanaka kupfuura Bharaki mwanakomana waZipori, mambo waMoabhu here? Iye wakatongopopotera vaIsiraeri, kana kurwa navo here?
Nguva yakagara vaIsiraeri paHeshibhoni nemisha yaro, napaAroeri nemisha yaro, napamaguta ose ari parutivi rwaArinoni, makore ana mazana matatu, makaregereiko kuvatorera nyika iyo nenguva iyo?
Naizvozvo ini handina kukutadzira, asi ndiwe unondiitira zvakaipa, uchida kurwa neni; Jehovha, iye Mutongi, ngaatonge nhasi pakati pavana vaIsiraeri navana vaAmoni.
Asi mambo wavana vaAmoni haana kuteerera mashoko aJefuta, aakatuma kwaari.
Zvino Mweya waJehovha wakauya pamusoro paJefuta, akapfuura kunyika yaGiriyadhi neyaManase, akapfuurawo napaMizipa paGiriyadhi, akabva paMizipa paGiriyadhi, akapfuura kuvana vaAmoni.
Jefuta akapikira Jehovha mhiko, akati, Kana mukaisa vana vaAmoni mumaoko angu,
ipapo ani naani unobuda pamikova yeimba yangu kuzosongana neni, musi wandinodzoka norugare ndichibva kuvana vaAmoni, uchava waJehovha; ndichauya naye, chive chipiriso chinopiswa.
Ipapo Jefuta akapfuurira kuvana vaAmoni, akandorwa navo; Jehovha akavaisa mumaoko ake.
Akavaparadza nokuparadza kukuru kwazvo, kubva paAroeri kusvikira paMiniti, maguta anamakumi maviri, nokusvikira paAbherikeramimi. Vana vaAmoni vakakundwa saizvozvo pamberi pavana vaIsiraeri.
Jefuta akasvika paMizipa paimba yake, zvino tarira, mukunda wake akabuda kuzosangana naye namakandira, nokupembera. Iye wakanga ari mwana wake mumwe chete, wakanga asina mumwe mwana kunze kwake, kana mwanakomana, kana mwanasikana.
Zvino wakati achimuona, akabvarura nguvo dzake, akati, Haiwa! Mukunda wangu! Iwe wandionesa nhamo kwazvo, iwe uri pakati pavanondiisa panjodzi; nokuti ndakashamisa muromo wangu kuna Jehovha, handingagoni kudzoka.
Iye akati, Baba vangu, makashamisa muromo wenyu kuna Jehovha; ndiitirei henyu sezvamakataura, nokuti Jehovha wakakutsivirai kwazvo vavengi venyu, ivo vana vaAmoni.
Akati kuna baba vake, Nditenderei henyu chinhu ichi: Nditenderei mwedzi miviri, ndiende, ndiburukire kumakomo, ndicheme umhandara hwangu, ini neshamwari dzangu.
Ivo vakati, Chienda hako. Akamutendera mwedzi miviri; akaenda, iye neshamwari dzake, akandochema umhandara hwake kumakomo.
Zvino mwedzi miviri yakati yapera, akadzokera kuna baba vake, ivo vakamuitira sezvavakanga vapika; wakanga asina kuziva murume. Ikazova tsika pakati pavaIsiraeri,
kuti vakunda vaIsiraeri vaende makore ose mazuva mana pagore kundochema mukunda waJefuta muGiriyadhi.

12

Zvino varume vaEfuremu vakaungana, vakapfuurira kurutivi rwokumusoro, vakati kuna Jefuta, Wakapfuurireiko kundorwa navana vaAmoni, ukasatidana isu kuti tiendewo newe? Tichapisa imba yako pamusoro pako nomoto.
Jefuta akati kwavari, Ini navanhu vangu takanga tichitambudzika kwazvo navana vaAmoni; zvino panguva yandakakudanai, imwi hamuna kundiponesa pamaoko avo.
Zvino ndakati ndichiona kuti hamuna kundiponesa, handina kurangarira upenyu hwangu, asi ndakapfuura ndikandorwa navana vaAmoni, Jehovha akavaisa muruoko rwangu; zvino makwirireiko nhasi kwandiri kuzorwa neni?
Ipapo Jefuta akaunganidza varume vose veGiriyadhi, akarwa naEfuremu, nokuti vakati, Muri vanhu vakatiza kuna Efuremu, imwi vaGiriyadhi, muchigara pakati paEfuremu, napakati paManase.
Ipapo vaGiriyadhi vakandogarira mazambuko aJorodhani paiyambukira vaEfuremu. Zvino kana mumwe wavakatiza kuna Efuremu akati, Nditenderei kuti ndiyambuke, varume veGiriyadhi ndokuti kwaari, Uri muEfuremu here? Kana akati, Kwete,
ipapo vakati kwaari, Zvino chiti, Shibhoreti; iye ndokuti, Sibhoreti, nokusagona kureva kwazvo; ipapo vakamubata, vakamuuraya pamazambuko aJorodhani, nenguva iyo vaEfuremu vane zviuru zvina makumi mana nezviviri vakaurawa.
Jefuta akatonga Isiraeri makore matanhatu. Ipapo Jefuta muGiriyadhi akafa, akavigwa mune rimwe ramaguta aGiriyadhi . Ibhuzani, naEroni, naAbhidhoni
Shure kwake Ibhuzani weBheterehemu wakatonga Isiraeri.
Iye wakanga ana vanakomana vana makumi matatu; vanasikana vake vana makumi matatu akavatuma vakandowanikwa kumwe, akandotorazve kumwe vamwe vanasikana vana makumi matatu vakawanikwa navanakomana vake. Iye akatonga Isiraeri makore manomwe.
Ibhuzani akafa, akavigwa paBheterehemu.
Shure kwake Eroni muZebhuruni wakatonga Isiraeri; akatonga Isiraeri makore ane gumi.
Eroni muZebhuruni akafa, akavigwa paAjaroni, panyika yaZebhuruni.
Shure kwake Abhidhoni mwanakomana waHireri, muPiratoni, wakatonga Isiraeri.
Iye wakanga ana vanakomana vana makumi mana, navazukuru vana makumi matatu, vaitasva vana vembongoro vana makumi manomwe; iye akatonga Isiraeri makore masere.
Abhidhoni mwanakomana waHireri, muPiratoni, akafa, akavigwa paPiratoni, panyika yaEfuremu, panyika yamakomo yavaAmareki.

13

Zvino vana vaIsiraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, Jehovha akavaisa mumaoko avaFirisitia makore ana makumi mana.
Zvino kwakanga kuno mumwe murume weZora, weimba yaDhani, wainzi Manoa; mukadzi wake wakanga asina mwanakomana, asingabereki.
Mutumwa waJehovha akazviratidza kumukadzi uyu, akati kwaari, Tarira zvino, iwe haubereki, hauno mwana; asi uchava nemimba, nokubereka mwanakomana.
Naizvozvo zvino chichenjera hako kuti urege kunwa waini, kana zvimwe zvinobata, kana kudya chinhu chisina kunaka;
nokuti tarira, uchava nemimba, nokubereka mwanakomana; musoro wake haufaniri kuveurwa nechisvo, nokuti mwana uyu anofanira kuva muNaziri waMwari kubva padumbu ramai vake; iye uchatanga kuponesa Isiraeri pamaoko avaFirisitia.
Zvino mukadzi akandoudza murume wake, akati, Munhu waMwari wakauya kwandiri, chiso chake chakanga chakafanana nechiso chomutumwa waMwari, chaityisa kwazvo; handina kumubvunza kuti unobvepi, uye iye haana kundiudza zita rake;
asi wakati kwandiri, Tarira, uchava nemimba, nokubereka mwanakomana; zvino chirega kunwa waini, kana zvimwe zvinobata, usadya chinhu chisina kunaka, nokuti mwana uyu uchava muNaziri waMwari kubva padumbu ramai vake kusvikira pazuva rokufa kwake.
Ipapo Manoa akakumbira kuna Jehovha, akati, Jehovha, ndinokumbira kuti munhu waMwari wamakatuma, auyezve kwatiri, atidzidzise zvatinofanira kuitira mwana uchazozvarwa.
Jehovha akanzwa inzwi raManoa; mutumwa waMwari akauyazve kumukadzi agere pamunda; asi Manoa, murume wake, wakanga asiko kwaari.
Mukadzi akakurumidza, akamhanya, akandoudza murume wake, akati kwaari, Tarira, murume uya wazviratidzazve kwandiri, iye wakadeya kuuya kwandiri musi uya.
Manoa akasimuka, akatevera mukadzi, wake akasvika kumurume, akati kwaari, Ndiwe murume wakataura nomukadzi here? Iye akati, Ndini.
Manoa akati, Zvino kana mashoko enyu achinge aitika, tsika dzomwana dzinofanira kuva dzipi, nebasa rake rinofanira kuva reiko?
Mutumwa waJehovha akati kuna Manoa; Mukadzi ngaachenjere pamusoro pezvose zvandakamuudza.
Haafaniri kudya chinhu chipi nechipi chinobva pamuti womuzambiringa; haafaniri kunwa waini, kana zvimwe zvinobata, kana kudya chinhu chisina kunaka; ngaachengete zvose zvandakamuraira.
Manoa akati kumutumwa waJehovha, Titenderei henyu tikunonosei, tikugadzirirei mbudzana.
Mutumwa waJehovha akati kuna Manoa, Kunyange ukandinonosa, handingadyi chingwa chako; kana ukada kugadzira chipiriso chinopiswa, unofanira kuchipa Jehovha. Nokuti Manoa wakanga asingazivi kuti mutumwa waJehovha.
Manoa akati kumutumwa waJehovha, Zita renyu ndianiko? Kuti tizive kukukudzai kana mashoko enyu achizoitika?
Mutumwa waJehovha akati kwaari, Unondibvunzireiko zita rangu, zvarinoshamisa?
Ipapo Manoa akatora mbudzana pamwechete nechipiriso chezvokudya, akazvibayira Jehovha padombo; mutumwa akaita chinhu chinoshamisa, Manoa nomukadzi wake vakataririra.
Nokuti murazvo womoto wakati uchikwira kudenga uchibva paatari, mutumwa waJehovha ndokukwira mumurazvo weatari, Manoa nomukadzi wake vakataririra; vakawira pasi nezviso zvavo.
Asi mutumwa waJehovha haana kuzozviratidzazve kuna Manoa, kana kumukadzi wake. Ipapo Manoa akaziva kuti mutumwa waJehovha.
Zvino Manoa akati kumukadzi wake, Tichafa zvirokwazvo, nokuti takaona Mwari.
Asi mukadzi wake wakati kwaari, Dai Jehovha aida kutiuraya, ungadai asina kugamuchira chipiriso chinopiswa chezvokudya pamaoko edu; ungadai asina kutiratidza mashoko akadai panguva ino.
Zvino mukadzi akapona mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Samusoni; mwana akakura, Jehovha akamuropafadza.
Mweya waJehovha akatanga kumumutsa paMahanedhani, pakati peZora neEshitaori.

14

Zvino Samusoni wakaburukira Timuna, akaona paTimuna mukadzi pakati pavakunda vavaFirisitia.
Akakwira akandoudza baba vake namai vake, akati, Ndaona mukadzi paTimuna pakati pavakunda vavaFirisitia; naizvozvo zvino nditorerei iye, ave mukadzi wangu.
Ipapo baba vake namai vake vakati kwaari, Ko pakati pavakunda vehama dzako, kana pakati pavanhu vangu vose, hapano mukadzi here, zvowoda kundozvitorera mukadzi pakati pavaFirisitia vasina kudzingiswa? Samusoni akati kuna baba vake, Nditorerei iye, nokuti unondifadza kwazvo.
Asi baba vake namai vake havana kuziva kuti zvakanga zvichibva kuna Jehovha, nokuti wakanga achitsvaka mhaka yokurwa navaFirisitia. Zvino nenguva iyo vaFirisitia vakanga vakabata Isiraeri.
Zvino Samusoni wakaburukira Timuna nababa vake namai vake, vakasvika paminda yemizambiringa paTimuna; onei mwana weshumba ukamuombera.
Ipapo Mweya waJehovha wakauya pamusoro pake nesimba guru, akaibvambura sembudzana, zvino wakanga asina chinhu muruoko rwake; asi haana kuudza baba vake kana mai vake zvaakanga aita.
Akaburuka, akandotaura nomukadzi, iye akafadza Samusoni kwazvo.
Zvino nguva yakati yapfuura, akadzoka kuzomutora, akatsauka kuzoona chitunha cheshumba, ndokuona bumha renyuchi muchitunha cheshumba, nouchi.
Akahutora namaoko ake, akaenda achidya; akasvika kuna baba vake namai vake, akavapa vakadyawo; asi haana kuvaudza kuti wakanga abura uchi muchitunha cheshumba.
Baba vake vakaburukira kumukadzi, Samusoni akagadzirapo mutambo, nokuti majaya aisiita saizvozvo.
Zvino vakati vachimuona, vakauya neshamwari dzina makumi matatu kuzova naye.
Samusoni akati kwavari, Nditaurirei chirabwe zvino; kana mukagona kundidudzira icho pamazuva manomwe omutambo, mukawana dudziro yacho, ini ndichakupai nguvo dzomucheka dzina makumi matatu nehanzu dzakanaka dzina makumi matatu.
Asi kana musingagoni kundidudzira icho, imwi muchafanira kundipa nguvo dzomucheka dzina makumi matatu, nehanzu dzakanaka dzina makumi matatu. Ivo vakati kwaari, Chitaura hako chirabwe, chako, tichinzwe.
Akati kwavari, Chokudya chakabuda kumudyi, Uye zvinotapira zvakabuda kuno une simba.Asi vakanga vasingagoni kududzira chirabwe icho namazuva matatu.
Zvino nezuva rechinomwe vakati kumukadzi waSamusoni, Nyengetedza murume wako, atidudzire chirabwe, tirege kukupisa nomoto, iwe naveimba yababa vako; makatidana kuti mutitorere zvatinazvo kanhi? Ndizvo here?
Ipapo mukadzi waSamusoni wakachema kumurume wake, akati, Unondivenga hako, haundidi; wakataurira vana vavanhu vangu chirabwe, asi hauna kundiudza icho ini. Akati kwaari, Tarira, handina kuchiudza baba vangu kana mai vangu; zvino ndingakuudza icho iwe here?
Akaramba achichema kwaari mazuva manomwe panguva yomutambo; zvino nezuva rechinomwe akamuudza, nokuti wakamutambudza kwazvo; ipapo akandoudza vana vavanhu vake chirabwe icho.
Nezuva rechinomwe zuva richigere kuvira, varume veguta vakati kwaari, Ko chinotapira kukunda uchi chinyi? Uye chine simba kukunda shumba chinyiko?Iye akati kwavari, Dai musina kurima netsiru rangu, Hamuzaiwana chirabwe changu.
Mweya waJehovha akauya pamusoro pake nesimba guru, akaburukira Ashikeroni, akauraya varume vana makumi matatu kwavari, akatora nguvo dzavo, akandopa vakadudzira chirabwe hanzu dzavo dzakanaka. Asi kutsamwa kwake kwakanga kwamutswa kwazvo, akadzokera kumba kwababa vake.
Asi mukadzi waSamusoni akapiwa shamwari yake, wakanga amuperekedza.

15

Asi nguva duku yakati yapera, panguva yokukohwa zviyo, Samusoni akandoshanyira mukadzi wake, akabata mbudzana; akati, Ndinoda kupinda kumukadzi wangu mumba. Asi baba vake vakaramba kumutendera kupinda.
Baba vake vakati, Zvirokwazvo, ndakati wamuvenga kwazvo; saka ndakamupa shamwari yako. Ko munununa wake haamupfuuri nokunaka here? Mutore hake iye panzvimbo yake.
Samusoni akati kwavari, Nguva ino handingavi nemhosva kuvaFirisitia, kana ndikavaitira zvakaipa.
Ipapo Samusoni akandobata makava ana mazana matatu, akatora mazhenje, akabatanidza miswe miviri-miviri, ndokuisa zhenje pakati pemiswe miviri.
Zvino akatungidza mazhenje, ndokuaregedza, akapinda muzviyo zvavaFirisitia zvakanga zvaunganidzwa nezvakanga zvigere kukohwiwa, neminda yemizambiringa neyemiorivhi.
Ipapo vaFirisitia vakati, Ndianiko waita izvozvo? Vakati, NdiSamusoni, mukuwasha womuTimuna, nokuti wakatora mukadzi wake, akamupa shamwari yake. Zvino vaFirisitia vakakwira, vakamupisa iye nomukadzi nababa vake nomoto.
Samusoni akati kwavari, Kana mukaita saizvozvo, zvirokwazvo ndichakutsivai, pashure ndigorega.
Akavarova pazvidya nezviuno, akavauraya nokuuraya kukuru; akaburuka, akandogara pabako redombo reEtami.
Zvino vaFirisitia vakakwira, vakandodzika matende avo paJudha, vakapararira muRehi.
Varume vaJudha vakati, Makwirireiko kuzorwa nesu. Ivo vakati, Takwira kuzosunga Samusoni, timuitire sezvaakatiitira isu.
Ipapo varume vaJudha vakanga vane zviuru zvitatu vakaburukira kubako redombo reEtami, vakati kuna Samusoni, Hauzivi kuti vaFirisitia vabati vedu here? Chinyiko ichi chawatiitira? Akati kwavari, Sezvavakandiitira ini, ndizvo zvandakavaitirawo.
Vakati kwaari, Isu taburukira kuno kuzokusunga, kuti tikuise mumaoko avaFirisitia. Samusoni akati kwavari, Pikai kwandiri, kuti imwi hamungandivambi mumene.
Vakataura naye, vakati, Kwete; asi tichakusunga, nokukuisa mumaoko avo; asi zvirokwazvo hatingakuurayi. Vakamusunga netambo mbiri itsva, vakakwira naye vachibva padombo.
Zvino wakati achisvika Rehi, vaFirisitia vakamupurudzira. Ipapo Mweya waJehovha akauya pamusoro pake nesimba guru; tambo dzakanga dzakasunga maoko ake dzikafanana noruchinda rwakatsva nomoto, zvisungo zvake zvikanyauka pamaoko ake.
Akawana rushaya rwembongoro, akatambanudza ruoko rwake, akarutora, ndokuuraya varume vana mazana ane gumi narwo.
Ipapo Samusoni akati,Norushaya rwembongoro ndakauraya boka namapoka, Norushaya rwembongoro ndakauraya vana mazana ane gumi.
Zvino wakati apedza kutaura, akakanda kure rushaya rwakanga ruri muruoko rwake nzvimbo iyo ikanzi Ramafirehi.
Ipapo akanzwa nyota kwazvo, akachema kuna Jehovha, akati, Matirwira kwazvo noruoko rwomuranda wenyu; zvino ndichafa nenyota, ndikawira mumaoko avasina kudzingiswa.
Asi Mwari wakapamura mukaha paRehi, mvura ikabudapo; zvino wakati anwa, mweya wake ukadzokera maari, akaponazve; naizvozvo ipapo pakatumidzwa Enihakori, tsime riri paRehi kusvikira nhasi.
Iye akatonga vaIsiraeri makore makumi maviri pamazuva avaFirisitia.

16

Zvino Samusoni wakaenda Gaza, akaonapo mukadzi waiva chifeve akapinda kwaari.
VaGaza vakaudzwa, zvichinzi, Samusoni wasvika pano. Ivo vakamukomba, vakamuvandira usiku hwose pasuo reguta, vakaramba vanyerere usiku hwose, vachiti, Mangwana kana kwaedza tichamuuraya.
Samusoni akavata kusvikira pakati pousiku, akamuka pakati pousiku, akabata masasa esuo reguta, namatanda aro maviri, akaavhomora pamwechete nomuzariro waro, akaaisa pamafudzi ake, ndokuatakurira kugomo riri pamberi peHebhuroni.
Zvino pashure akada mukadzi wakanga agere pamupata weSoreki, wainzi Dherira.
Madzishe avaFirisitia akakwira kumukadzi, akati kwaari, Munyengetedze, uone kuti tingamukunda sei, kuti timusunge timumanikidze; ipapo mumwe nomumwe wedu uchakupa mashekeri esirivha ane gumi ramazana nezana rimwe.
Zvino Dherira akati kuna Samusoni, Ndiudze hako kuti simba rako guru rinobvepi, uye kuti ungasungwa neiko, umanikidzwe.
Samusoni akati kwaari, Kana vakandisunga namarunda matsva manomwe achigere kuomeswa, ndichashaiwa simba, ndikava somumwe munhu.
Ipapo madzishe avaFirisitia akamuvigira marunda matsva manomwe achigere kuomeswa, iye akamusunga nawo.
Zvino wakanga ana vavandiri vakanga vakavandira muimba yomukati. Akati kwaari, Samusoni, vaFirisitia vasvika! Iye akadambura marunda, sezvinodamburwa rwonzi rworuchinda kana rwanzwa moto. Naizvozvo simba rake harina kuzikanwa.
Ipapo Dherira akati kuna Samusoni, Tarira, wandidadira, nokundirevera nhema; zvino chindiudza hako kuti ungasungwa nei?
Akati kwaari, Kana vakangondisunga havo namabote matsva, asina kumbobatisa, ndichashaiwa simba, ndikava somumwe munhu.
Ipapo Dherira akatora mabote matsva, akamusunga nawo, akati kwaari, Samusoni, vaFirisitia vasvika! Vavandiri vakanga vakavandira muimba yomukati. Ipapo akaadambura pamaoko ake soruchinda.
Dherira akati kuna Samusoni, Kusvikira zvino wakanga uchingondidadira, uchindirevera nhema; chindiudza hako kuti ungasungwa nei? Akati kwaari, Kana ukarukira mhotsi nomwe dzevhudzi romusoro wangu pamwechete nomucheka unorukwa.
Iye akarisunga nembambo, akati kwaari, Samusoni, vaFirisitia vasvika! Ipapo akapepuka pahope dzake, akavhomora mbambo yedanda pamwechete nomucheka wakarukwa.
Iye akati kwaari, Zvino ungataura seiko uchiti, Ndinokuda, kana moyo wako usinganditendi? Zvino wandidadira katatu, usingandiudzi kuti simba rako guru rinobvepi?
Zvino wakati achingomutambudza mazuva ose namashoko ake, achigombedzera, moyo wake ukanetswa kusvikira pakufa.
Akamuudza nomoyo wake wose akati kwaari, Musoro wangu hauna kutongoveurwa nechisvo, nokuti ndiri muNaziri waMwari kubva padumbu ramai vangu; kana ndikaveurwa, simba rangu richabva kwandiri, ndingashaiwa simba, ndikaita somumwe munhu.
Zvino Dherira wakati aona kuti wamuudza nomoyo wake wose, akatuma munhu kundodana madzishe avaFirisitia, akati, Kwirai henyu kuno nguva ino, nokuti wandiudza nomoyo wake wose. Ipapo madzishe avaFirisitia vakakwira kwaari, vakauya nemari mumaoko avo.
Iye akamuvatisa pamabvi ake, akadana munhu kuzoveura mhotsi nomwe dzevhudzi romusoro wake; akatanga kumumanikidza; simba rake rikabva kwaari.
Akati, Samusoni, vaFirisitia vasvika! Ipapo Samusoni akapepuka pahope dzake, akati, Ndichabuda nguva inowo sapane dzimwe nguva, ndikazvisunungura, asi wakanga asingazivi kuti lehovha wakanga abva kwaari.
Zvino vaFirisitia vakamubata, vakamutumbura meso, vakaburuka naye Gaza, ndokumusunga nezvisungo zvendarira, akauya mutorongo.
Asi vhudzi romusoro wake rakatanga kurebazve shure kwokuveurwa kwake.
Zvino madzishe avaFirisitia akaungana pamwechete kuzobayira Dhagoni mwari wavo chibayiro chikuru, ndokufara; nokuti vakati, Mwari wedu wakaisa mumaoko edu muvengi wedu Samusoni.
Zvino vanhu vakati vachimuona, vakarumbidza mwari wavo, nokuti vakati, Mwari wedu wakaisa mumaoko edu muvengi wedu, nomuparadzi wenyika yedu, wakauraya vazhinji vedu.
Zvino moyo yavo yakati yofara, vakati, Chidanai Samusoni, atitambire. Vakandodana Samusoni mutorongo, akatamba pamberi pavo, vakamuisa pakati pembiru.
Zvino Samusoni akati kumukomana wakanga akabata ruoko rwake, Nditendere kuti ndibate mbiru dzakatsigira imba, ndisendamire padziri.
Zvino imba yakanga izere navarume navakadzi; namadzishe avaFirisitia akanga arimo ose; napamusoro pedenga pakanga pana varume navakadzi vanenge zviuru zvitatu, vakanga vachitarira kutamba kwaSamusoni.
Ipapo Samusoni akadana kuna Jehovha akati, Ishe Mwari, ndirangarirei henyu, ndisimbisei henyu nguva ino bedzi, imwi Mwari, nditsivirwe meso angu maviri kuvaFirisitia.
Samusoni akabata mbiru mbiri dzapakati, dzakanga dzakatsigira imba, akadzisunda, imwe noruoko rwake rworudyi neimwe noruoko rwake rworuboshwe.
Ipapo Samusoni akati, Ngandife hangu pamwechete navaFirisitia. Akakotama nesimba rake rose, imba ikawira pamusoro pamadzishe, napamusoro pavanhu vaivamo. Naizvozvo vakafa vaakauraya pakufa kwake, vakanga vari vazhinji kuna vakaurawa naye achiri mupenyu.
Zvino hama dzake, navose veimba yababa vake, vakaburuka, vakamutora, vakakwira naye, ndokumuviga pakati peZora neEshitaori, pabwiro yaManoa, baba vake. Iye wakatonga vaIsiraeri makore ana makumi maviri.

17

Zvino kwakanga kuno murume panyika yamakomo yaEfuremu, wainzi Mika.
Iye akati kuna mai vake, Mashekeri aya esirivha ane gumi ramazana nezana rimwe amakabirwa, mukatuka mubi wazvo, mukataurawo izvozvo ini ndichizvinzwa, tarirai sirivha iyeyo iri kwandiri; ndini ndakaitora. Ipapo mai vake vakati, Mwanakomana wangu ngaaropafadzwe naJehovha!
Akadzosera mashekeri esirivha ane gumi ramazana nezana rimwe kuna mai vake; mai vake vakati, Zvirokwazvo, sirivha iyi ndinoitsaurira Jehovha, kuti mwanakomana wangu aite nayo mufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa; naizvozvo zvino ndichakudzosera iyo.
Zvino wakati adzosera mari iyo kuna mai vake, mai vake vakatora mashekeri esirivha ana mazana maviri, akaapa muumbi, iye akaita nawo mufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa; zvikagara mumba maMika.
Zvino murume uyu Mika wakanga ane imba yavamwari, akaita efodhi neterafimi, akagadza mumwe wavanakomana vake kuti ave mupirisiti wake.
Pamazuva iwayo kwakanga kusina mambo pakati pavaIsiraeri; munhu mumwe nomumwe waiita sezvaakafunga kuti ndizvo zvakanaka.
Zvino kwakanga kune jaya raibva Bheterehemu-judha, weimba yaJudha, waiva muRevhi, wakanga agerepo.
Murume uyu akabva paguta, paBheterehemu-judha, kundozvitsvakira nzvimbo yokugara; pakufamba kwake akasvika panyika yamakomo yaEfuremu paimba yaMika.
Mika akati kwaari, Wabvepiko? Iye akati kwaari, Ndiri muRevhi weBheterehemu-judha, ndinotsvaka kwandingagara.
Mika akati kwaari, Gara neni, uve baba vangu nomupirisiti wangu, ndikupe mashekeri esirivha ane gumi pagore nenguvo dzokupfeka nezvokudya zvako. Ipapo muRevhi akapinda.
MuRevhi akatenda kugara nomunhu uyu; jaya rikava somumwe wavanakomana vake.
Mika akagadza muRevhi, jaya iro rikava mupirisiti wake, akagara mumba maMika.
Zvino Mika akati, Ndinoziva kuti Jehovha uchandiitira zvakanaka, zvandava nomupirisiti wangu ari muRevhi.

18

Zvino namazuva iwayo kwakanga kusina mambo pakati pavaIsiraeri; namazuva iwayo vaDhani vakazvitsvakira nhaka yokugaramo, nokuti kusvikira panguva iyo vakanga vachigere kupiwa nhaka pakati pamarudzi avaIsiraeri.
Zvino pakati pavo vose vana vaDhani vakatuma varume vashanu veimba yavo, varume voumhare, vakabva Zora neEshitaori, kuzoshora nyika, nokuitarisisa; vakati kwavari, Endai, mundotarisisa nyika; ivo vakasvika kunyika yamakomo yaEfuremu, kuimba yaMika, vakavatapo.
Zvino vakati vari paimba yaMika, vakaziva inzwi rejaya muRevhi; vakatsaukirako, vakati kwaari, Ndianiko wakakusvitsa pano? Unobatei pano? Unotsvakei pano?
Iye akati kwavari, Mika wakandiitira zvokuti nezvokuti, akandiripira, ndikava mupirisiti wake.
Vakati kwaari, Zvino chitibvunzira hako Mwari, tizive kana tichafamba zvakanaka panzira yedu yatinofamba nayo.
mupirisiti akati kwavari, Endai norugare, nzira yenyu yamunofamba nayo inofadza Jehovha.
Zvino varume vashanu vakaenda, vakasvika Raishi, vakaona vanhu vakanga varimo, kuti vagere pasine njodzi nomutoo wavaZidhoni, vakagarika, vane rugare; kwakanga kusina munhu waiva nesimba rokuraira, waimanikidza vanhu pachinhu chipi nechipi; vakanga vagere kure navaZidhoni, vasingafambidzani navamwe vanhu.
Vakasvika kuhama dzavo paZora napaEshitaori; hama dzavo dzikati kwavari, Munoreveiko?
Vakati, Simukai, tikwire, tindorwa navo; nokuti takatarira nyika, tikaona kuti yakanaka kwazvo; munogara seiko musingaiti chinhu? Musava nousimbe hwokupinda, kuti nyika ive yenyu.
Kana muchienda muchandosvika kuvanhu vagere pasine njodzi, uye nyika ihuru; nokuti Mwari wakakupai iyo mumaoko enyu; apo hapashaikwi chinhu chiri panyika.
Ipapo varume vana mazana matanhatu veimba yavaDhani vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa, vakaendako, vachibva Zora neEshitaori.
Vakakwira, vakandodzika matende avo paKiriati-jearimi, paJudha; naizvozvo vakatumidza nzvimbo iyo Mahane-dhani kusvikira zuva ranhasi; tarirai, riri shure kweKiriati-jearimi.
Vakabvapo, vakapfuura kusvikira panyika yamakomo yaEfuremu, vakasvika paimba yaMika.
Zvino varume vashanu, vakanga vandoshora nyika yeRaishi, vakapindura, vakati kuhama dzavo, Munoziva here kuti mudzimba idzi mune efodhi, neterafimi, nomufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa? Saka zvino fungai zvakanaka zvamunofanira kuita.
Ipapo vakatsaukirako, vakasvika paimba yejaya muRevhi, iyo imba yaMika, vakabvunza mufaro.
Zvino varume vana mazana matanhatu vakanga vakashonga nhumbi dzavo dzokurwa nadzo, vaiva vavana vaDhani, vakamira panopindwa napo pasuo,
varume vashanu vakanga vandoshora nyika vakakwira, vakapindamo, vakatora mufananidzo wakavezwa, neefodhi, neterafimi, nomufananidzo wakaumbwa; mupirisiti akamira panopindwa napo pasuo kuvarume vana mazana matanhatu vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa nadzo.
Zvino ivo vakati vapinda mumba maMika, vakatora mufananidzo wakavezwa, neefodhi, neterafimi, nomufananidzo wakaumbwa, mupirisiti akati kwavari, Munoiteiko?
Vakati kwaari, Nyarara, pfumbira muromo wako, uende nesu, uve baba vedu nomupirisiti wedu; zviri nani kwauri ndezvipi, kuti uve mupirisiti paimba yomunhu mumwe chete, kana kuva mupirisiti worudzi rwose neimba yose yavaIsiraeri here?
Zvino moyo womupirisiti ukafara, akatora efodhi, neterafimi nomufananidzo wakavezwa, akapinda napakati pavanhu.
Vakatsauka, ndokuenda, vakatungamidza vana vaduku, nezvipfuwo nenhumbi.
Zvino vakati vafamba runhambo kubva paimba yaMika, varume vakanga vagere padzimba dzaiva pedo neimba yaMika vakaunganidzwa, vakatevera vaDhani, vakavabata.
Vakadanidzira kuvana vaDhani. Ivo vakacheuka, vakati kuna Mika, Unotsvakeiko, zvawauya neboka rakadai?
Iye akati, Manditorera vamwari vangu vandakanga ndaita, nomupirisiti wangu, mukaenda navo, zvino ini ndasarirwa neiko? Mungataura sei kwandiri, muchiti, Unotsvakeiko?
Vana vaDhani vakati kwaari, inzwi rako ngarirege kunzwika pakati pedu, kuti varume vane shungu varege kukuwira, ukarashikirwa noupenyu hwako pamwechete noupenyu hwavamwe veimba yako.
Ipapo vana vaDhani vakaenda havo; zvino Mika wakati achiona kuti simba ravo rinokunda rake, akadzokera kumba kwake.
Ivo vakatora zvakanga zvakaitwa naMika, nomupirisiti waakanga anaye, vakasvika Raishi, kuvanhu vakanga vakagarika, vagere pasine njodzi, vakavauraya neminondo inopinza, vakapisa guta ravo nomoto.
Vakashaiwa unovarwira, nokuti vakanga vari kure neZidhoni; vakanga vasingafambidzani navamwe vanhu; guta rakanga riri mumupata uri paBheti-rehobhi. Vakavaka guta, vakagaramo.
Vakatumidza guta zita rinonzi Dhani, nezita rababa vavo Dhani, wakanga akaberekerwa Isiraeri; asi zita reguta raiva Raishi pakutanga.
Vana vaDhani vakazvimisira mufananidzo uyo wakavezwa; Jonatani, mwanakomana waGerishomi, mwanakomana waMozisi, iye navana vake vakava vapirisiti vorudzi rwavaDhani, kusvikira pazuva rokutapwa kwavanhu venyika iyo.
Vakazvimisira mufananidzo wakavezwa naMika, waakanga aita, ukavapo nguva yose yokugara kweimba yaMwari paShiro.

19

Zvino namazuva iwayo kusina mambo pakati paIsiraeri, mumwe muRevhi waigara mberi kwenyika yamakomo yaEfuremu, akazvitorera mukadzi murongo paBheterehemu-judha.
Zvino murongo wake akafeva, akabva kwaari, akaenda kumba kwababa vake paBheterehemu-judha, akagarako mwedzi mina.
Zvino murume wake akasimuka, akamutevera, ano muranda wake nembongoro mbiri, akataura zvakanaka naye, kuti amudzoserezve kwaari, iye mukadzi akamuisa kumba kwababa vake; zvino baba vomusikana vakati vachimuona, vakafara kusangana naye.
Mukarahwa wake, ivo baba vomusikana, vakamudzivisa kuenda, akagara naye mazuva matatu, vakadya, vakanwa, vakavatapo.
Zvino nomusi wechina vakamuka mangwanani, iye akasimuka achida kuenda; baba vomusikana vakati kumukuwasha wavo, Simbisa moyo wako nechimedu chechingwa, mugoenda henyu.
Ipapo vakagara pasi, vakadya, vakanwa vose; baba vomusikana vakati kumurume, Tenda hako ugare usiku hwose, moyo wako ufare.
Asi murume wakasimuka, achida kuziva; mukarahwa wake akamugombedzera, akavatapozve.
Nomusi weshanu akamuka mangwanani, achida kubva; baba vomusikana vakati, Simbisa moyo wako, ugare kusvikira zuva rovira; vakadya vose vari vaviri.
Zvino murume wakati achisimuka, achida kubva, iye nomurongo wake, nomuranda wake, mukarahwa wake, ivo baba vomusikana, akati kwaari, Tarira, zuva rovira, ava madekwana, chigara hako usiku hwose; tarira, zuva roda kupera, vata hako pano, moyo wako ufare, mugofumira mangwana parwendo rwenyu kumusha kwenyu.
Asi murume wakaramba kuvatapo usiku uhwo, asi wakasimuka, akabva, ndokusvika pakatarisana neJebhusi (ndiro Jerusaremu); wakanga ane mbongoro mbiri dzakanga dzakaiswa zvigaro; nomurongo wake wakanga anaye.
Zvino vakati vasvika pedo neJebhusi, zuva rikanga rovira; muranda akati kuna tenzi wake, Ngatitsaukire hedu kuguta iri ravaJebhusi, tivatemo.
Tenzi wake akati kwaari, Handingatsaukiri kuguta ravatorwa, kusina vana vaIsiraeri; asi tichapfuura hedu, kusvikira paGibhiya.
Akati kumuranda wake, Hendei, tiswedere kune imwe yenzvimbo idzi, tivate paGibhiya kana paRama.
Ipapo vakapfuura parwendo rwavo, vakavirirwa pedo neGibhiya, raiva guta ravaBhenjamini.
Vakatsaukirako, vachida kuvata paGibhiya akapinda, akagara pasi munzira yomuguta; nokuti kwakanga kusina munhu wakavadana kuzovata mumba make.
Zvino mumwe mutana akasvika, achibva kubasa rake kumunda madekwana; zvino murume uyo wakanga ari wenyika yamakomo yaEfuremu, asi wakagara hake paGibhiya; asi varume venzvimbo iyo vakanga vari vaBhenjamini.
Iye akatarira, akaona murume uyu mufambi ari munzira yomuguta; mutana akati, Ko unoendepi? Uye, unobvepiko?
Iye akati kwaari, Tinobva Bheterehemu-judha, tinopfuurira kurutivi rwemberi rwenyika yamakomo yaEfuremu; ndiko kwandakabva, ndikaenda Bheterehemu-judha, zvino ndinoenda kumba kwaJehovha, asi hakuna munhu wakandidana kugara mumba make.
Kunyange zvakadaro tinahwo uswa nezvokudya zvembongoro dzedu, nechingwa newaini zvinondiringana ini nomurandakadzi wenyu nejaya rina varanda venyu; hakuna chinhu chinoshaikwa.
Zvino mutana akati, Farao hako, zvose zvawaishaiwa, ini ndichakupa; asi usavata munzira yomuguta.
ipapo akavaisa mumba make, akapa mbongoro zvokudya; vakashambidza tsoka dzavo, vakadya nokunwa.
Zvino vakati vofara pamoyo yavo, tarirai varume veguta, vamwe vanhu vakaisvoipa, vakakomba imba kunhivi dzose, vakagogodza pamukova; vakataura nomwene weimba, iye mutana, vakati, Budisa murume wakasvika paimba yako, timuzive.
Zvino murume uyo, mwene weimba akabuda kwavari, akati kwavari, Kwete, hama dzangu, regai kuita zvakaipa zvakadai; musaita samapenzi, nokuti murume uyu wakapinda mumba mangu.
Tarirai, hoyu mukunda wangu mhandara, nomurongo wake; ndichavabudisa zvino, muvazvidze, muvaitire sezvamunoda, asi regai kuitira murume uyu chakaipa chakadai.
Asi varume vakaramba kumuteerera; ipapo murume akabata murongo wake, akamubudisira kwavari; vakamuziva, vakamuchinya usiku hwose kusvikira mangwana vakamurega kwoedza.
Zvino mukadzi akauya kwoedza, akawira pasi pamukova weimba yomunhu, makanga munashe wake, akavapo kusvikira kwaedza kwazvo.
Zvino ishe wake wakamuka mangwanani, akazarura mikova yeimba, akabuda, achida kupfuura parwendo rwake; akawana mukadzi, iye murongo wake, akawira pasi pamukova weimba, maoko ake ari pachikumbaridzo.
Akati kwaari, Simuka, tiende; asi hakuna wakapindura; ipapo akamuisa pambongoro yake, murume akasimuka, akaenda kumba kwake.
Wakati asvika kumba kwake, akatora banga, akabata murongo wake, akadimuranya mitezo yake, akaita nhindi dzine gumi nembiri, akadzituma munyika yose yavaIsiraeri.
Zvino vose vakati vachizviona, vakati, Chinguva vana vaIsiraeri vakakwira vachibva panyika yeIjipiti, kusvikira zuva ranhasi, hakune chinhu chakadai chakaitwa kana chakaonekwa; rangarirai izvozvo, murangane mutaure.

20

Zvino vana vaIsiraeri vose vakabuda, ungano yose ikaungana nomoyo mumwe kubva paDhani kusvikira paBheeri-shebha, pamwechete nenyika yeGiriyadhi, kuna Jehovha paMizipa.
Madzishe avanhu vose, ivo vamarudzi ose avaIsiraeri, vakandomira paungano yavanhu vaMwari, vakanga vane zviuru zvina mazana mana zvavanhu vaifamba namakumbo, vaigona kurwa nomunondo.
(Zvino vana vaBhenjamini vakanga vanzwa kuti vaIsiraeri vakwira Mizipa.) Vana vaIsiraeri vakati, Tiudzei kuti zvakashata izvi zvakaitwa sei?
Zvino muRevhi, murume womukadzi wakanga aurawa, akapindura, akati, Ndakanga ndasvika paGibhiya ravaBhenjamini ndinomurongo wangu, kuti tavatepo.
Varume veGibhiya vakandimukira, vakakomba imba usiku kuzorwa neni, vakanga vachida kundiuraya ini, uye murongo wangu vakamuchinya, akafa.
Ipapo ndikatora murongo wangu, ndikamudimuranya, ndikamutuma kunyika yose yenhaka yaIsiraeri, nokuti vakaita zvinonyangadza nezvoupenzi pakati paIsiraeri.
Tarirai, imwi vana vaIsiraeri, imwi mose, mutipei zano nomurangariro wenyu pano.
Ipapo vanhu vose vakasimuka nomoyo mumwe, vakati, Hakuna mumwe wedu ungaenda kutende rake, hakuna mumwe wedu ungadzokera kumba kwake.
Asi tichaitira vanhu veGibhiya chinhu ichi: Tichandorwa navo, sezvatinoratidzwa nemijenya.
Tichatora varume vane gumi pazana rimwe nerimwe ramarudzi ose avalsiraeri, navane zana pachiuru chimwe nechimwe, navane chiuru pazviuru zvine gumi zvimwe nezvimwe, vandotorera vanhu mbuva, kuti kana vachisvika paGibhiya ravaBhenjamini vavaitire zvakaenzana noupenzi hwavakaita pakati paIsiraeri.
Naizvozvo varume vose vaIsiraeri vakaungana paguta vano moyo mumwe.
Zvino marudzi avalsiraeri akatuma varume kurudzi rwose rwaBhenjamini, vakati, Izvi zvakashata zvakaitwa pakati penyu ndezveiko?
Saka zvino tipei varume avo, vanhu vakaisvoipa, vari paGibhiya, tivauraye, tibvise zvakaipa pakati paIsiraeri, asi vana vaBhenjamini vakaramba kuteerera inzwi rehama dzavo, ivo vana vaIsiraeri.
Vana vaBhenjamini vakabva kumaguta vakaungana paGibhiya, kuti varwe navana vaIsiraeri.
Vana vaBhenjamini vakanga vabva kumaguta vakaverengwa musi uyo vakasvika varume vane zviuru zvina makumi maviri nezvitanhatu, vaigona kurwa nomunondo; zvino vakanga vagere Gibhiya havana kuverengwa, ivo vakasvika varume vana mazana manomwe vakasanangurwa.
Pakati pavanhu ava vose kwakanga kuna varume vana mazana manomwe vakasanangurwa, vakanga vane zviboshwe; mumwe nomumwe wavo waigona kurova ruvhudzi nebwe asingaposhi.
Zvino varume vaIsiraeri, kunze kwavaBhenjamini, vakaverengwa, vakasvika varume vane zviuru zvina mazana mana, vaigona kurwa nomunondo; ava vose vaiva varwi.
Vana vaIsiraeri vakasimuka, vakaenda Bhetieri, vakandobvunza zano kuna Mwari, vakati, Ndianiko kwatiri unofanira kutanga kundovamba vana vaBhenjamini? Jehovha akati, Judha ndiye anofanira kutanga.
Zvino vana vaIsiraeri vakamuka mangwanani, vakandodzika matende avo kuzorwa naveGibhiya.
Varume vaIsiraeri vakabuda kundorwa navaBhenjamini; varume vaIsiraeri vakarongedza hondo kuzorwa navo paGibhiya.
Vana vaBhenjamini vakabuda paGibhiya, vakaurayira pasi nomusi iwoyo varume vaIsiraeri vane zviuru zvina makumi maviri nezviviri.
Ipapo vanhu, varume vaIsiraeri, vakazvisimbisa, vakarongedzazve hondo pavakanga vairongedza nezuva rokutanga.
(Vana vaIsiraeri vakakwira, vakandochema kuna Jehovha kusvikira madekwana; vakabvunza Jehovha, vakati, Tinofanira kuswederazve kundorwa nehama dzedu, vana vaBhenjamini, here? Jehovha akati kwavari, Kwirai, mundorwa navo.)
Zvino vana vaIsiraeri vakaswedera kuzorwa navana vaBhenjamini nezuva repiri.
VaBhenjamini vakabuda paGibhiya kuzorwa navo nezuva repiri, vakaurayira pasi varume vavana vaIsiraeri vane zviuru zvine gumi nezvisere; ava vose vaigona kurwa nomunondo.
Zvino vana vaIsiraeri vose navanhu vose vakakwira vakasvika paBhei-teri, vakachema vakagarapo pamberi paJehovha, vakazvinyima zvokudya zuva iro kusvikira madekwana, vakauya nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa kuna Jehovha.
Vana vaIsiraeri vakabvunza Jehovha, (nokuti areka yesungano yaMwari yakanga iripo pamazuva iwayo.
NaPinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, wakamira pamberi payo namazuva iwayo), vakati, Tinofanira kubudazve kundorwa nehama dzedu, ivo vana vaBhenjamini, kana tirege here? Jehovha akati, Kwirai, nokuti mangwana ndichavaisa mumaoko enyu.
Valsiraeri vakaisa vanhu kuvandira Gibhiya kunhivi dzose.
Vana vaIsiraeri vakandorwa navana vaBhenjamini nezuva retatu, vakazvirongedza kundorwa neGibhiya sapane dzimwe nguva.
Vana vaBhenjamini vakabuda kuzorwa navanhu, vakanyengerwa nokubuda kure neguta; vakatanga sapane dzimwe nguva kubaya nokuuraya vamwe vanhu panzira huru mbiri, imwe yaikwira ichienda Bheti-eri, neimwe Gibhiya, kusango, vakauraya varume vaIsiraeri vanenge makumi matatu.
Zvino vana vaBhenjamini vakati, Vakundwa nesu sapakutanga. Asi vaIsiraeri vakati, Ngatitize, tivanyengere vabude kunzira huru dziri kure neguta.
Varume vose vaIsiraeri vakasimuka kwavakanga vari, vakazvirongedza paBhaari-tamari; uye vaIsiraeri, vakanga vakavandira, vakakurumidza kubuda kwavakanga vari, paMaare-gebha;
vakabuda pakatarisana neGibhiya vaiva varume vane zviuru zvine gumi vakanga vakasanangurwa pakati pavaIsiraeri vose, kurwa kukanyanya kwazvo; asi vakanga vasingazivi kuti njodzi yava pedo.
Zvino Jehovha akaparadza Bhenjamini pamberi paIsiraeri, vana vaIsiraeri vakaparadza nomusi iwoyo varume vaBhenjamini vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezvishanu nezana rimwe; ava vose vaigona kurwa nomunondo.
Ipapo vana vaBhenjamini vakaona kuti vakundwa; nokuti varume vaIsiraeri vakatiza pamberi paBhenjamini, nokuti vakanga vachivimba navanhu vakanga vaiswa kuvandira paGibhiya.
Zvino vavandiri vakakurumidza, vakamhanyira Gibhiya; vavandiri vakapfuura, vakaparadza guta rose neminondo inopinza.
Zvino varume valsiraeri navavandiri vakanga vatenderana pamusoro pechiratidzo, kuti vachamutsa gore guru routsi rinobva muguta.
Varume vaIsiraeri vakatendeuka pakurwa kwavo, vaBhenjamini vakatanga kubaya nokuuraya varume vaIsiraeri vanenge makumi matatu; nokuti vakati, Zvirokwazvo, vakundwa nesu sapakurwa kwokutanga.
Asi gore rakati rotanga kukwira richibva muguta, seshongwe youtsi, vaBhenjamini vakacheuka, vakaona guta rose richipfungairira kudenga.
Varume vaIsiraeri vakadzoka, varume vaBhenjamini vakavhunduswa, nokuti vakaona kuti vawirwa nenjodzi.
Ipapo vakatiza pamberi pavarume vaIsiraeri, vakamhanya nenzira inoenda kurenje; asi hondo yakavatevera, uye vakanga vachibva mumaguta vakavauraya pakati pawo.
Vakakomba vaBhenjamini kunhivi dzose, vakavadzinga ndokuvabata pavakazorora kusvikira pakatarisana neGibhiya kumabvazuva.
Vane zviuru zvine gumi nezvisere vaBhenjamini vakaurawa; avo vose vakanga vari varume voumhare.
Vakatendeuka, ndokutizira kurenje kudombo reRimoni; vakauraya vamwe vavo panzira huru varume vane zviuru zvishanu; vakavatevera kusvikira paGidhomi, vakauraya pakati pavo varume vane zviuru zviviri.
Naizvozvo varume vaBhenjamini, vakaurawa nezuva iro, vakanga vane zviuru zvina makumi maviri nezvishanu, varume vaigona kurwa nomunondo; ava vose vaiva varume voumhare.
Asi varume vana mazana matanhatu vakatendeuka, vakatizira kurenje padombo reRimoni, vakagara padombo reRimoni mwedzi mina.
Varume vaIsiraeri vakadzokerazve kuvana vaBhenjamini, vakavauraya neminondo inopinza, guta rose, nemombe, nezvose zvavakawanapo; vakapisawo maguta ose avakawana.

21

Zvino varume vaIsiraeri vakanga vapika paMizipa, vachiti, Hakuna mumwe wedu uchapa muBhenjamini mukunda wake, kuti ave mukadzi wake.
Vanhu vakasvika paBheti-eri, vakagarapo pamberi paMwari kusvikira madekwana; vakachema kwazvo.
Vakati, Jehovha,Mwari waIsiraeri, chinhu ichi chakaitirweiko pakati paIsiraeri, kuti nhasi rumwe rudzi rushaikwe pakati paIsiraeri?
Zvino fume mangwana vanhu vakamuka mangwanani, vakavakapo atari, vakauya nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa.
Ipapo vana vaIsiraeri vakati, Ndianiko pakati pamarudzi ose aIsiraeri vasina kukwira kuungano yaJehovha? Nokuti vakanga vapika nokupika kukuru pamusoro pomunhu usina kukwira kuna Jehovha paMizipa, vachiti, Zvirokwazvo, anofanira kuurawa.
Zvino vana vaIsiraeri vakazvidemba pamusoro pavaBhenjamini, hama dzavo, vakati, Nhasi rumwe rudzi rwagurwa pakati pavaIsiraeri.
Tichadiniko kuti tiwanire vakasara vakadzi, zvatakapika naJehovha, kuti hatingavapi vakunda vedu vave vakadzi vavo?
Vakati, Ndianiko pamarudzi aIsiraeri usina kukwira kuna Jehovha paMizipa? Onei, kwakanga kusina munhu wakabva Jabheshi-Giriyadhi wakakwira kumisasa kuungano.
Nokuti vanhu vakati vachiverengwa, onei kwakanga kusina munhu wavagere Jabheshi-Giriyadhi ipapo.
Zvino ungano ikatumirako varume voumhare kwazvo vane zviuru zvine gumi nezviviri, vakavaraira vachiti, Endai mundouraya vagere Jabheshi-Giriyadhi neminondo inopinza, pamwechete navakadzi navana.
Munofanira kuitawo chinhu ichi: Munofanira kuparadza chose varume vose, nomukadzi mumwe nomumwe wakambovata nomurume.
Zvino vakandowana kuna vagere Jabheshi-Giriyadhi mhandara dzina mazana mana, vasina kumbovata nomurume; vakauya navo kumisasa paShiro munyika yeKenani.
Zvino ungano yose yakatuma nhume kundotaurirana navana vaBhenjamini vakanga vari padombo reRimoni, vakavaparidzira rugare.
Nenguva iyo vaBhenjamini vakadzoka; vakavapa vakadzi vavakanga vachengeta vari vapenyu pavakadzi veJabheshi-Giriyadhi; asi havana kuvaringana.
Vanhu vakazvidemba pamusoro pavaBhenjamini, nokuti Jehovha wakanga aparadza vamwe pakati pamarudzi avaIsiraeri.
Ipapo vakuru veungano vakati, Tichadiniko kuti tiwanire vakasara vakadzi, vakadzi zvavaparadzwa pakati pavaBhenj amini?
Vakati, VaBhenjamini vakapukunyuka vanofanira kuva nenhaka yavo, kuti rudzi rumwe rurege kurova pakati pavaIsiraeri.
Asi hatingavapi vakunda vedu, vave vakadzi vavo; nokuti vana vaIsiraeri vakanga vapika, vachiti, Munhu unopa vaBhenjamini mukadzi ngaatukwe.
Vakati, Gore rimwe nerimwe kunomutambo waJehovha paShiro, kurutivi rwokumusoro kweBheti-eri, kumabvazuva enzira huru inobva Bheti-eri ichikwira Shekemu, nezasi kweRebhona.
Vakaraira vana vaBhenjamini, vachiti, Endai, mundovandira muminda yemizambiringa;
mutarire, muone kana vakunda veShiro vachibuda kuzotamba; zvino mubude paminda yenyu yemizambiringa, murume mumwe nomumwe agozvitorera mukadzi pakati pavakunda veShiro, muende kunyika yavaBhenjamini.
Zvino kana madzibaba avo kana hama dzavo vachiuya kuzovakwirira kwatiri, isu tichati kwavari, Chitipai henyu ivavo zvakanaka, nokuti hatina kuvatapira vose vakadzi pakurwa; nemiwo hamuna kuvapa ivo, mungadai mune mhosva.
Vana vaBhenjamini vakaita saizvozvo, vakazvitorera vakadzi kuna vakanga vachitamba, vakavaringana; vakaenda navo; vakabva ndokudzokera kunhaka yavo, vakavaka maguta, ndokugara mukati mawo.
Zvino vana vaIsiraeri vakabvapo nenguva iyo, murume mumwe nomumwe kurudzi rwake nokumhuri yake; vakabudapo murume mumwe nomumwe akaenda kunhaka yake.
Namazuva iwayo kwakanga kusina mambo pakati palsiraeri; murume mumwe nomumwe waiita sezvaakafunga kuti ndizvo zvakanaka.

Holder of rights
Multilingual Bible Corpus

Citation Suggestion for this Object
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Judges (Shona). Judges (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C569-4