1
Zvino Mozisi, muranda waJehovha, wakati afa, Jehovha akataura naJoshua, mwanakomana waNuni, muranda waMozisi, akati,
Mozisi, muranda wangu wafa; zvino simuka iwe uyambuke Jorodhani urwu, iwe navanhu ava vose, muende kunyika yandinovapa ivo vana valsiraeri.
Nzvimbo imwe neimwe ichatsikwa netsoka dzenyu ndakakupai iyo, sezvandakataura naMozisi.
Kubva murenje reRebhanoni iri, kusvikira parwizi rukuru, irwo rwizi Yufuratesi, nenyika yose yavaHeti, kusvikira kugungwa guru, kurutivi rwamavirazuva, ndiyo nyika yenyu.
Hakuna munhu uchagona kumira pamberi pako mazuva ose oupenyu hwako; ndichava newe sezvandaisiva naMozisi; handingakuregi kana kukusiya.
Simba, utsunge moyo, nokuti uchagarisa vanhu ava nhaka yandakapikira madzibaba avo, kuti ndichavapa iyo, ive yavo.
Asi usimbe nokutsunga moyo kwazvo, kuti uchenjere kuita murayiro wose wandakaraira Mozisi muranda wangu; usatsauka kwauri, kana kurudyi kana kuruboshwe, kuti uve nomufaro pose paunoenda,
Bhuku iyi yomurayiro haifaniri kubva pamuromo wako, asi unofanira kuirangarira masikati nousiku, kuti uchenjere kuita zvose zvakanyorwamo, nokuti nokudaro uchazviwanira mufaro panzira yako nokubata nokuchenjera.
Ko handina kukuraira here? Simba, utsunge moyo; usatya kana kuvhunduswa, nokuti Jehovha Mwari wako unewe kwose kwaunoenda.
Ipapo Joshua akaraira vatariri vavanhu, akati,
Pindai napakati pemisasa, muraire vanhu, muti, Zvigadzirirei mbuva, nokuti mazuva matatu achigere kupera muchafanira kuyambuka Jorodhani urwu, kuti mupinde panyika iyo yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu, ive yenyu.
Joshua akataura navaRubheni navaGadhi, nokuhafu yorudzi rwaManase, akati,
Rangarirai shoko ramakarairwa naMozisi, muranda waJehovha, achiti, Jehovha Mwari wenyu uchakupai zororo, nokukupai nyika iyi.
Vakadzi venyu nepwere dzenyu nezvipfuwo zvenyu zvichasara panyika yamakapiwa naMozisi nechouno mhiri kwaJorodhani, asi imwi varume vose vane simba noumhare munofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu makashonga nhumbi dzokurwa, muvabatsire;
kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo semi, nenyika yavanopiwa naJehovha Mwari wenyu ive yavo; ipapo mungadzokera kunyika yenyu, yamakapiwa naMozisi, muranda waJehovha, iri nechouno mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, kuti ive yenyu.
Vakapindura Joshua, vakati, Zvose zvamunotiraira, tichazviita, pose pamunotituma tichaendapo.
Sezvataiteerera Mozisi pazvose, saizvozvo tichakuteererai nemiwo; Jehovha Mwari wenyu ngaave nemi, sezvaaiva naMozisi.
Ani naani unomukira murayiro wenyu, asingadi kuteerera mashoko enyu pazvose zvamunoraira, iye uchaurayiwa; asi simbai mutsunge moyo.
2
Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, wakatuma varume vaviri pakavanda, vachibva Shitimi, kuti vandoshora, achiti, Endai mundotarira nyika neJeriko. Vakaenda, vakapinda muimba yechifeve, chainzi Rakabhi, vakavatapo.
Zvino mambo weJeriko akaudzwa, zvichinzi, Tarirai, varume vavana vaIsiraeri vakapinda muno usiku huno kuzoshora nyika.
Zvino mambo weJeriko akatuma shoko kuna Rakabhi, akati, Budisa varume vakasvika kwauri, vapinda mumba mako, nokuti vauya kuzoshora nyika yose.
Mukadzi akatora varume avo vaviri, akavavanza, akati, Hongu, varume vakasvika havo kwandiri, asi ndakanga ndisingazivi kuti vaibvepi.
Zvino nenguva yokupfigwa kwesuo, kwasviba, varume vakabudazve; kwavakazoenda ivo varume, ini handikuzivi; kurumidzai kuvatevera, nokuti mungandovabata.
Asi wakanga avakwidza pamusoro pedenga, akavavanza pasi povutanda hwamasosoori, hwakanga hwakarongwa naye padenga.
Varume vakavateverera nenzira inoenda Jorodhani, kusvikira kumazambuko; zvino vakavatevera vakati vabuda, suo rikazarirwa.
Zvino vachigere kuvata, Rakabhi ndokukwira kwavari pamusoro pedenga,
akati kuvarume, Ndinoziva kuti Jehovha wakakupai nyika, tinokutyai kwazvo, vanhu vose vagere munyika vavhunduka pamberi penyu.
Nokuti takanzwa kuti Jehovha wakapwisa mvura yeGungwa Dzvuku pamberi penyu, nguva yokubuda kwenyu Ijipiti, nezvamakaitira madzimambo maviri avaAmori, vakanga vari mhiri kwaJorodhani, ivo Sihoni naOgi, vamakaparadza chose.
Zvino pakarepo takati tichinzwa izvozvo moyo yedu ikavhunduka, hakuna munhu uchinokutsunga pamoyo pake nokuda kwenyu, nokuti Jehovha Mwari wenyu, ndiye Mwari kudenga kumusoro napanyika pasi.
Naizvozvo zvino ndipikirei henyu naJehovha, kuti zvandakakuitirai zvakanaka, nemiwo muchaitira imba yababa vangu zvakanaka; mundipeiwo chiratidzo chakasimba,
kuti muchararamisa baba vangu namai vangu nehanzvadzi dzangu navanununa vangu, nezvose zvavanazvo, nokurwira upenyu hwedu parufu.
Ipapo varume vakati kwaari, Isu ngatife panzvimbo yenyu, kana musingabudisi pachena basa redu iri; kana Jehovha achitipa nyika iyi, tichakuitira zvakanaka nezvokwadi.
Ipapo akavaburusira pasi nebote napahwindo, nokuti imba yake yakanga iri pamusoro porusvingo rweguta, naiye wakanga agere pamusoro porusvingo.
Akati kwavari, Tizirai henyu kumakomo, kuti vateveri verege kusangana nemi, muvandepo mazuva matatu, kusvikira vateveri vadzoka; pashure mungaenda henyu.
Zvino varume vakati kwaari, Hatingasungwi nemhiko yako iyi yawakatipikisa.
Tarira, nguva yatinopinda panyika ino, unofanira kusungira bote iri dzvuku rakakoshwa pahwindo pawakatiburusira pasi napo; unofanirawo kuunganidza mumba mako baba vako, namai vako, nehanzvadzi dzako, navose veimba yababa vako.
Zvino ani naani unobuda kunze kwemikova yeimba yako, ropa rake richava pamusoro pomusoro wake, asi isu hatingavi nemhosva; ani naani unewe mumba mako, ropa rake richava pamusoro pemisoro yedu, kana akaitirwa zvakaipa noruoko rwomunhu.
Asi kana ukabudisa pachena basa redu iri, isu hatingasungwi nemhiko yako yawakatipikisa.
Iye akati, Ngazviitwe sezvamakataura; akavaendesa, vakabva, iye ndokusungira bote dzvuku pahwindo.
Ivo vakaenda, vakasvika kumakomo, vakagarapo mazuva matatu, kusvikira vateveri vadzoka; vateveri vakavatsvaka panzira iyo yose, asi havana kuvawana.
Zvino varume avo vaviri vakadzoka, vakaburuka pamakomo, vakayambuka, vakasvikazve kuna Joshua, mwanakomana waNuni; vakamuudza zvose zvavakanga vaitirwa.
Vakati kuna Joshua, Zvirokwazvo, Jehovha wakaisa nyika yose mumaoko edu; uye vanhu vose vagere panyika iyo vavhunduka pamberi pedu.
3
Zvino Joshua akamuka mangwanani, vakabva Shitimi, vakasvika paJorodhani, iye navana vaIsiraeri vose; vakavatapo vasati vayambuka.
Mazuva matatu akati apera, vatariri vakapinda napakati pemisasa,
vakaraira vanhu, vachiti, Kana muchiona areka yesungano yaJehovha Mwari wenyu, navapirisiti vaRevhi voitakura, munofanira kusimuka pamugere, nokuitevera.
Asi munofanira kusiya nzvimbo pakati penyu naiyo, inosvika makubhiti anenge zviuru zviviri; regai kuswedera kwairi, kuti muzive nzira yamunofanira kuenda nayo; nokuti mugere kumbofamba nenzira iyi.
Zvino Joshua akati kuvanhu, Zvinatsei, nokuti mangwana Jehovha uchaita zvinoshamisa pakati penyu.
Joshua akataura navapirisiti, akati, Simudzai areka yesungano, mutungamirire vanhu pakuyambuka. Ivo vakasimudza areka yesungano, vakatungamirira vanhu.
Ipapo Jehovha akati kuna Joshua, Nhasi ndichatanga kukukudza pamberi pavaIsiraeri vose, vazive kuti ndichava newe, sezvandaisiva naMozisi.
Iwe unofanira kuraira vapirisiti kuti vatakure areka yesungano, uchiti, Kana masvika parutivi rwemvura yaJorodhani, munofanira kumira muJorodhani.
Zvino Joshua akati kuvana vaIsiraeri, Uyai pano, munzwe mashoko aJehovha Mwari wenyu.
Joshua akati, Muchaziva nechinhu ichi kuti Mwari mupenyu uri pakati penyu, uye kuti uchadzinga zvirokwazvo pamberi penyu vaKenani, navaHeti, navaHivhi, navaPerezi, navaGirigashi, navaAmori, navaJebhusi.
Tarirai, areka yesungano yaIshe wenyika yose inokutungamirirai pakuyambuka Jorodhani.
Naizvozvo zvino muzvitorerei varume vane gumi navaviri pamarudzi ose avaIsiraeri, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe.
Zvino kana tsoka dzavapirisiti vanotakura areka yaJehovha, Ishe wenyika yose dzichitsika mumvura yaJorodhani, mvura yaJorodhani ichagurwa, iyo mvura inobva kumusoro; ichamira, ikaita murwi mukuru.
Zvino vanhu vakati vachibva pamatende avo, kuti vayambuke Jorodhani, vapirisiti vaitakura areka vakatungamirira vanhu;
zvino vakanga vakatakura areka vakati vachisvika paJorodhani, netsoka dzavapirisiti vakanga vakatakura areka dzichinyikwa pamucheto wemvura, (nokuti Jorodhani runofashamira nhivi dzarwo dzose nguva yose yokukohwa,)
mvura yakanga ichibva kumusoro ikamira, ikaita murwi mukuru, kusvikira kure-kure paAdhama, guta riri kurutivi rweZaretani; neyakanga ichiyerera kugungwa reArabha, ndiro Gungwa roMunyu, yakagurwa chose; vanhu vakayambuka pakatarisana neJeriko.
Vapirisiti vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakaramba vamire pasi pakaoma pakati paJorodhani; vaIsiraeri vose vakayambuka pavhu rakaoma kusvikira rudzi rwose rwapedza kuyambuka Jorodhani.
4
Zvino rudzi rwose rwakati rwapedza kuyambuka Jorodhani, Jehovha akataura naJoshua, akati,
Uzvitorere varume vane gumi navaviri kuvanhu, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe;
ugovaraira, uchiti, Pano pakati paJorodhani, pakaramba pamire tsoka dzavapirisiti muzvitorere mabwe ane gumi namaviri, muyambuke nawo mundoaisa pavato, pamuchandovata usiku huno.
Ipapo Joshua akadana varume avo vane gumi navaviri, vaakanga agadza pakati pavana vaIsiraeri, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe,
Joshua akati kwavari, Tungamirirai areka yaJehovha Mwari wenyu, muyambuke kusvikira pakati paJorodhani, mumwe nomumwe wenyu anonge ibwe ariise pafudzi rake, aenzane namarudzi avana vaIsiraeri.
Kuti chinhu ichi chive chiratidzo pakati penyu, kuti kana vana venyu vachizobvunza pashure, vachiti, Mabwe awa anoti kudiniko?
imwi muti kwavari, Nokuti mvura yaJorodhani yakagurwa pamberi peareka yesungano yaJehovha; nguva yayakayambuka Jorodhani, mvura yaJorodhani yakagurwa; mabwe awa achava chirangaridzo pakati pavana vaIsiraeri nokusingaperi.
Vana vaIsiraeri vakaita sezvavakarairwa naJoshua, vakanonga mabwe ane gumi namaviri pakati paJorodhani, sezvakataura Jehovha kuna Joshua, akaenzana namarudzi avana vaIsiraeri, vakayambuka nawo, vakaatakura, kusvikira pavakandovata, vakaaisapo.
Zvino Joshua akamisa mabwe ane gumi namaviri mukati maJorodhani, pakanga pamire tsoka dzavapirisiti vaitakura areka yesungano; aripo kusvikira nhasi.
Nokuti vapirisiti vakanga vakatakura areka vakamira mukati maJorodhani kusvikira zvose zvapera zvakanga zvarairwa Joshua naJehovha, kuti azviudze vanhu, zvose zvakanga zvarairwa Joshua naMozisi; vanhu vakakurumidza kuyambuka.
Zvino vanhu vose vakati vapedza kuyambuka, areka yaJehovha ikayambukawo, navapirisiti pamberi pavanhu.
Navana vaRubheni, navana vaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase, vakayambuka pamberi pavanhu, vakashonga nhumbi dzokurwa, sezvavakaudzwa naMozisi.
Vanenge vane zviuru zvina makumi mana, vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa, ndivo vakayambuka pamberi paJehovha, vakaenda kumapani eJeriko kundorwa.
Nomusi uyo Jehovha akakudza Joshua pamberi pavaIsiraeri vose; vakamutya sezvavaitya Mozisi mazuva ose oupenyu hwake.
Zvino Jehovha akataura naJoshua, akati,
Raira vapirisiti vanotakura areka yechipupuriro, kuti vakwire vabude mukati maJorodhani.
Naizvozvo Joshua akaraira vapirisiti, akati, Kwirai, mubude mukati maJorodhani.
Zvino vapirisiti vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakati vakwira vabuda mukati maJorodhani, netsoka dzavapirisiti dzasimudzwa dzasvika pasi pakaoma, mvura yaJorodhani ikadzokera panzvimbo yayo, ikadarika nhivi dzarwo dzose sakare.
Vanhu vakakwira vakabuda paJorodhani pazuva regumi romwedzi wokutanga, vakadzika matende avo muGirigari, pamuganhu wamabvazuva eJeriko.
Joshua akamisa aya mabwe ane gumi namaviri avakanonga muJorodhani paGirigari.
Akataura navana vaIsiraeri, akati, Kana vana venyu vachizobvunza madzibaba avo panguva inouya, vachiti, Mabwe awa anoti kudiniko?
imwi munofanira kuzivisa vana venyu, muchiti, VaIsiraeri vakayambuka Jorodhani urwu vachitsika pasi pakaoma.
Nokuti Jehovha Mwari wakapwisa mvura yaJorodhani pamberi penyu, kusvikira mayambuka, sezvaakaita iye Jehovha Mwari wenyu paGungwa Dzvuku, raakapwisa pamberi pedu, kusvikira tayambuka;
kuti ndudzi dzose dzenyika dzizive kuti ruoko rwaJehovha ndirwo rune simba; kuti vatye Jehovha Mwari wenyu nokusingaperi.
5
Zvino madzimambo ose avaAmori, akanga agere mhiri kwaJorodhani kumavirazuva, namadzimambo ose avaKenani, akanga agere pagungwa, akati achinzwa kuti Jehovha wakapwisa mvura yaJorodhani pamberi pavana vaIsiraeri, kusvikira tayambuka, moyo yavo ikavhunduka, vakasazova nomweya mukati mavo, nokuda kwavana vaIsiraeri. Joshua anodzingisa vana vaIsiraeri kuti vadye Pasika
Nenguva iyo Jehovha akati kuna Joshua, Uzviitire mapanga amabwe anopinza, udzingisezve vana vaIsiraeri.
Joshua akazviitira mapanga amabwe anopinza, akadzingisa vana vaIsiraeri pachikomo chezvikanda zvapamberi.
Joshua akavadzingisa nemhaka iyi, nokuti vanhurume vose vakanga vabuda Ijipiti, ivo varume vehondo, vakanga vafira panzira murenje pakubuda kwavo Ijipiti.
Nokuti vanhu vose vakabuda Ijipiti vakanga vadzingiswa; asi vanhu vose vakanga vaponerwa murenje panzira pakubuda kwavo Ijipiti, vakanga vasina kudzingiswa.
Nokuti vana vaIsiraeri vakafamba makore ana makumi mana murenje, kusvikira rudzi rwose, ivo varume vehondo vakanga vabuda Ijipiti, vaparadzwa, nokuti havana kuteerera inzwi raJehovha, Jehovha akapika kwavari kuti haangavaonesi nyika, yaakanga apikira madzibaba avo, kuti uchatipa iyo, iri nyika inoyerera mukaka nouchi.
Zvino vana vavo vaakanga amutsa panzvimbo yavo, ndivo vakadzingiswa naJoshua; nokuti vakanga vasina kudzingiswa, zvavakanga vasina kudzingiswa panzira.
Zvino vakati vapedza kudzingisa rudzi rwose, vakagara pavakanga vari pamisasa kusvikira vapora.
Zvino Jehovha akati kuna Joshua, Nhasi ndabvisa kwamuri kuzvidzwa kwamakazvidzwa nako navaIjipiti. Naizvozvo nzvimbo iyo yakanzi Girigari, kusvikira nhasi.
Vana vaIsiraeri vakavaka misasa yavo paGirigari, vakadya Pasika pazuva regumi namana romwedzi madekwana, pamapani eJeriko.
Nomusi uyo, uri musi wakatevera Pasika, vakadya zvibereko zvenyika iyo, zvingwa zvisina kuviriswa pamwechete nehura dzakakangwa nomusi iwoyo.
Mana ikaguma nomusi wakatevera uyo wavakadya nawo zvibereko zvenyika iyo; vana vaIsiraeri havana kuzova nemanazve, asi vakadya zvibereko zvenyika yeKenani gore irero.
Zvino Joshua wakati ari Jeriko akasimudza meso ake, akatarira, akaona murume amire pakatarisana naye, akabata munondo wake wakavhomorwa muruoko rwake; Joshua akenda kwaari, akati kwaari, Uri mumwe wedu here, kana wavavengi vedu?
Iye akati, Kwete, asi ndauya ini mukuru wehondo yaJehovha. Ipapo Joshua akawira pasi nechiso chake, akanamata kwaari, akati kwaari, Ishe wangu unoreveiko kumuranda wake?
Mukuru wehondo yaJehovha akati kuna Joshua, Bvisa shangu yako parutsoka rwako, nokuti paumire patsvene; Joshua akaita saizvozvo.
6
Zvino guta reJeriko rakanga rapfigwa kwazvo nokuda kwavana vaIsiraeri; kwakanga kusina munhu waibuda kana kupinda.)
Zvino Jehovha akati kuna Joshua, Tarira, ndakapa mumaoko ako Jeriko, namambo waro, navarume varo vane simba noumhare.
Munofanira kukomba guta, imwi varume vose vehondo, mupoteredze guta kamwe chete. Unofanira kuita saizvozvo mazuva matanhatu.
Vapirisiti vanomwe vanofanira kufamba pamberi peareka vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondohwe; nomusi wechinomwe munofanira kupoteredza guta kanomwe, vapirisiti vachiridza hwamanda.
Zvino kana voridzisa norunyanga rwegondohwe, kana imwi muchinzwa kurira kwehwamanda, ipapo vanhu vose vanofanira kudanidzira nokudanidzira kukuru; ipapo rusvingo rweguta ruchakoromoka chose, navanhu vanofanira kupinda, mumwe nomumwe ipapo pakaruramana naye.
Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, akadana vapirisiti, akati kwavari, Simudzai areka yesungano, vapirisiti vanomwe vafambe vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondohwe pamberi peareka yaJehovha.
Akati kuvanhu, Pfuurai, mupoteredze guta, varume vakashonga nhumbi dzokurwa vatungamirire areka yaJehovha.
Zvino Joshua wakati ataura navanhu, vapirisiti vanomwe vakatungamira vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondohwe, vakaridza hwamanda, areka yesungano yaJehovha ikavatevera.
Varume vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa vakatungamirira vapirisiti vakanga vachiridza hwamanda, navarindi veshure vakatevera areka, vapirisiti vakafamba vachingoridza hwamanda.
Zvino Joshua akaraira vanhu, akati, Regai kudanidzira, namanzwi enyu ngaarege kunzwika, kana shoko rimwe ngarirege kubuda pamiromo yenyu, kusvikira pamusi wandinokurairai kuti mudanidzire; ipapo munofanira kudanidzira.
Naizvozvo wakaraira kuti areka yaJehovha ipoteredze guta, iripoteredze kamwe chete; vanhu vakapindazve mumisasa, vakavatamo.
Joshua akamuka mangwanani, vapirisiti vakasimudza areka yaJehovha.
Navapirisiti vanomwe vakanga vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondohwe pamberi peareka yaJehovha, vakaramba vachifamba vachingoridza hwamanda; navarume vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa vakavatungamirira; navarindi veshure vakatevera areka yaJehovha, vapirisiti vakafamba vachingoridza hwamanda.
Nomusi wechipiri vakapoteredza guta kamwe chete, vakadzokera kumisasa; vakaita saizvozvo mazuva matanhatu.
Nomusi wechinomwe vakafumira mangwanani, vakapoteredza guta nomutoo iwoyo kanomwe; nomusi iwoyo bedzi vakapoteredza guta kanomwe.
Zvino panguva yechinomwe, vapirisiti vakati vachiridza hwamanda, Joshua akati kuvanhu, Danidzirai, nokuti Jehovha wakupai guta.
Asi guta rinofanira kuyeriswa kuna Jehovha, iro nezvose zviri mukati maro; asi Rakabhi bedzi, chifeve chiya, ngaaregwe ari mupenyu, iye navose vari mumba make, nokuti wakavanza nhume dzatakatuma.
Asi imwi, chenjerai pazvinhu zvinoyera, kuti murege kutora chinhu chinoyera, mambochiyeresa, naizvozvo mungatukisa misasa yaIsiraeri mukaipinza mudambudziko.
Asi sirivha yose, nendarama, nemidziyo yendarira, neyamatare zvitsvene kuna Jehovha; zvinofanira kuiswa muchivigiro chefuma chaJehovha.
Naizvozvo vanhu vakadanidzira, navapirisiti vakaridza hwamanda; zvino vanhu vakati vachinzwa kurira kwehwamanda, vanhu vakadanidzira nokudanidzira kukuru, rusvingo ndokukoromoka chose, vanhu vakakwira vachipinda muguta, mumwe nomumwe pakaruramana naye, vakakunda guta.
Vakaparadza chose nomunondo unopinza zvose zvakanga zviri muguta, varume navakadzi, vaduku navakuru, nenzombe, namakwai, nembongoro.
Joshua akati kuvarume vaviri vakanga vandoshora nyika, Pindai muimba yechifeve, mubudise mukadzi nezvose zvaanazvo, sezvamakapika kwaari.
Zvino majaya iwayo, vashori, vakapinda, vakabudisa Rakabhi, nababa vake, namai vake, nehanzvadzi dzake, nezvose zvaakanga anazvo, vakabudisawo hama dzake dzose, vakavaisa kunze kwemisasa yaIsiraeri.
Ipapo vakapisa guta nomoto, nezvose zvakanga zviri mukati maro; asi sirivha, nendarama, nemidziyo yendarira, neyamatare, vakazviisa muchivigiro chefuma cheimba yaJehovha.
Asi Joshua wakarega Rakabhi, chifeve chiya, ari mupenyu, iye naveimba yababa vake, nezvose zvaakanga anazvo; iye akagara pakati paIsiraeri kusvikira nhasi; nokuti wakanga avanza nhume dzakatumwa naJoshua kundoshora Jeriko.
Nenguva iyo Joshua akavapikisa, achiti, Munhu unozomuka akavaka guta iri reJeriko ngaatukwe; ucharashikirwa nedangwe rake kana achiteya nheyo dzaro, uye ucharashikirwa norugotwe rwake kana achimutsa masuo aro.
Naizvozvo Jehovha wakanga ana Joshua; mukurumbira wake ukanzwika panyika yose.
7
Asi vana vaIsiraeri vakadarika pachinhu chakayereswa; nokuti Akani, mwanakomana waKarimwi, mwanakomana waZabhedhi, mwanakomana waZera, worudzi rwaJudha, wakatora chinhu chezvakayereswa; kutsamwa kwaJehovha kukamukira vana vaIsiraeri.
Joshua akatuma varume vabve Jeriko vaende Ai, guta riri parutivi rweBheti-avheni, kumabvazuva eBheteri, akataura navo, akati, Kwirai, mundoshora nyika. Varume vakakwira, vakandoshora Ai,
Vakadzokera kuna Joshua, vakati kwaari, Vanhu vose ngavarege kukwira; varume vanenge zviuru zviviri kana zvitatu ngavaende kundorwa neAi, asi vanhu vose ngavarege havo kutambudzwa kuendako, nokuti vashoma havo.
Naizvozvo varume vanenge zviuru zviviri kana zvitatu vakaendako, ivo vakatiza pamberi pavarume veAi.
Varume veAi vakauraya varume vanenge makumi matatu navatanhatu vavo, vakavateverera kubva pamberi pesuo kusvikira Shebharimi, vachivauraya pakuburuka kwavo; ipapo moyo yavanhu yakanyauka, ikaita semvura.
Zvino Joshua akabvarura nguvo dzake, akawira pasi nechiso chake pamberi peareka yaJehovha kusvikira madekwana, iye navakuru vavaIsiraeri, vakaisa guruva pamisoro yavo.
Joshua akati, Haiwa! Ishe Mwari, makayambusireiko vanhu ava paJorodhani, kuti mutiise mumaoko avaAmori, vatiparadze? Dai takatenda hedu kugara mhiri kwaJorodhani!
Haiwa, Ishe, ndichati kudiniko, vaIsiraeri zvavakafuratira vavengi vavo!
Nokuti vaKenani navose vagere munyika ino vachazvinzwa, vachatikomba, nokudzima zita redu panyika; zvino zita renyu guru muchariiteiko?
Ipapo Jehovha akati kuna Joshua, Simuka, wawireiko kudai pachiso chako?
VaIsiraeri vatadza, vadarika sungano yangu yandakavaraira; vatora chinhu chakayeriswa, vabavo, nokunyengera, nokuchiviga pakati penhumbi dzavo.
Naizvozvo vana vaIsiraeri havangagoni kukunda vavengi vavo, vanofuratira vavengi vavo, nokuti vava vanhu vakatukwa; handichazovi nemi, kana musingaparadzi chinhu chakayereswa pakati penyu.
Simuka, utsaure vanhu, uti, Zvitsaurirei mangwana, nokuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri: Kune chinhu chakayeriswa pakati penyu, Isiraeri; hamungakundi vavengi venyu, kusvikira mabvisa chinhu chakayeriswa pakati penyu.
Naizvozvo mangwana munofanira kuswedera namarudzi enyu; zvino rudzi runobatwa naJehovha, runofanira kuswedera nedzimba dzarwo, neimba inobatwa naJehovha, inofanira kuswedera nemhuri dzayo, nemhuri inobatwa naJehovha, inofanira kuswedera murume mumwe nomumwe.
Zvino uyo unobatwa ane chinhu chakayereswa, anofanira kupiswa nomoto, iye nezvose zvaanazvo; nokuti wakadarika sungano yaJehovha, uye nokuti wakaita chinhu chakaipa kwazvo pakati paIsiraeri.
Naizvozvo Joshua wakamuka mangwanani, akaswededza vaIsiraeri namarudzi avo; rudzi rwaJudha ndokubatwa;
zvino akaswededza dzimba dzaJudha, imba yaZera ikabatwa; zvino akaswededza murume mumwe nomumwe weimba yavaZera, Zabhedhi akabatwa;
zvino akaswededza mhuri yake, murume mumwe nomumwe, Akani mwanakomana waKarimi, mwanakomana waZabhedhi, mwanakomana waZera, worudzi rwaJudha akabatwa.
Zvino Joshua akati kuna Akani, Mwana wangu, chikudza Jehovha Mwari waIsiraeri, uzvireurure kwaari; ndiudze zvino zvawakaita, usandivanzira izvo.
Ipapo Akani akapindura Joshua, akati, Zvirokwazvo, ndakatadzira Jehovha Mwari waIsiraeri, ndakaita zvokuti nezvokuti;
ndakaona pakati pezvakapambwa nguvo yakanaka, inobva Bhabhironi, nesirivha yakasvika mashekeri ana mazana maviri, nechikamu chendarama chakasvika mashekeri ana makumi mashanu pakuyerwa kwacho; ipapo ndakazvichochora, ndikazvitora, tarirai, zvakavigwa pasi mutende rangu, sirivha iri pasi pazvo.
Naizvozvo Joshua akatuma nhume, ivo vakamhanyira kutende rake, vakandowana zvakavigwa mutende rake, sirivha iri pasi pazvo.
Vakazvibvisa mutende, vakazviisa kuna Joshua, nokuvana vaIsiraeri vose, vakazviisa pasi pamberi paJehovha.
Ipapo Joshua navaIsiraeri vose vakanga vanaye vakatora Akani, mwanakomana waZera, nesirivha, nenguvo, nembongoro dzake, namakwai ake, netende rake, nezvose zvaakanga anazvo, vakakwira navo kumupata weAkori.
Zvino Joshua akati, Wakatipinzireiko padambudziko? Jehovha uchakupinza padambudziko nhasi. Ipapo vaIsiraeri vose vakamutaka namabwe, vakavapisa nomoto, nokuvataka namabwe.
Vakaunganidza pamusoro pake mabwe akaita murwi mukuru uripo kusvikira nhasi; Jehovha akazvidzora pakutsamwa kwake kukuru. Naizvozvo zita renzvimbo iyo rakanzi Mupata weAkori kusvikira nhasi.
8
Zvino Jehovha wakati kuna Joshua, Usatya, kana kuvhunduswa; tora vanhu vose vehondo, musimuke, mukwire Ai; tarira ndaisa muruoko rwako mambo weAi navanhu vake, neguta rake, nenyika yake.
Unofanira kuitira Ai sezvawakaitira Jeriko namambo waro; asi munofanira kutapa zvingatapwa zvaro, nemombe dzaro, zvive zvenyu; uzvigadzirire vangavandira guta necheseri kwaro.
Naizvozvo Joshua akasimuka, navarume vose vehondo, kuti vakwire Ai; Joshua akatsaura varume vane zviuru zvina makumi matatu, varume vane simba noumhare, akavatuma usiku.
Akavaraira, akati, Tarirai, munofanira kundovandira guta necheseri kwaro; musaenda kure neguta, asi mugare makazvigadzira mose;
zvino ini navanhu vose vandinavo, tichaswedera kuguta; zvino kana vachibuda kuzorwa nesu, sapakutanga, isu tichatiza pamberi pavo;
ipapo vachabuda, vachititevera, kusvikira tavanyengera kure neguta; nokuti vachati, Vanotiza pamberi pedu sapakutanga, nesu tichatiza pamberi pavo;
ipapo imwi munofanira kusimuka pamakanga makavandira, mundokunda guta, nokuti Jehovha Mwari wenyu uchariisa mumaoko enyu.
Zvino kana makunda guta, munofanira kuripisa nomoto; munofanira kuita sezvakarehwa naJehovha;tarirai, ndakurairai.
Zvino Joshua akavatuma, vakaenda kundovanda, vakagara pakati peBheteri neAi, kurutivi rwamavirazuva rweAi; asi Joshua wakavata pakati pavanhu usiku uhwo.
Zvino Joshua akamuka mangwanani, akaunganidza vanhu, akakwira iye navakuru valsiraeri, vakatungamirira vanhu kuenda Ai.
Navarume vose vehondo vaakanga anavo, vakakwira, vakaswedera pamberi peguta, vakadzika matende avo kurutivi rwokumusoro rweAi. Zvino kwakanga kuno mupata pakati pake neAi.
Akatsaura varume vanenge zviuru zvishanu, akavaraira kuvanda pakati peBheteri neAi, kurutivi rwamavirazuva rweguta.
Naizvozvo vakaraira vanhu, iyo hondo yose yaiva kurutivi rwokumusoro rweguta, navaivanda kurutivi rwamavirazuva rweguta; asi Joshua wakaenda usiku uhwo pakati pomupata.
Zvino mambo weAi wakati aona izvozvo, vakakurumidza kumuka mangwanani, varume veguta vakabuda kundorwa naIsiraeri, iye navanhu vake vose, panzvimbo yakanga yatarwa, pamupata; asi haana kuziva kuti kwakanga kuna vavandiri necheseri kweguta.
Zvino Joshua navaIsiraeri vose vakaita savakundwa navo, vakatiza nenzira yerenje.
Ipapo vanhu vose vakanga vari muguta vakakokwa kundovatevera; vakatevera Joshua, vakanyengerwa kure neguta.
Kwakanga kusina munhu wakasara paAi neBheteri, asina kubuda kundotevera Isiraeri; vakasiya guta rakashama, vakatevera Isiraeri.
Zvino Jehovha akati kuna Joshua, Tambanudzira pfumo riri muruoko rwako kurutivi rweAi, nokuti ndichariisa muruoko rwako. Joshua akatambanudzira pfumo rakanga riri muruoko rwake kurutivi rweguta;
ipapo vavandiri vakakurumidza kusimuka pavakanga vagere, vakamhanya pakarepo pakutambanudza kwake ruoko rwake, vakapinda muguta, vakarikunda; vakakurumidza kupisa guta.
Zvino varume veAi vakati vachicheuka, onei utsi hweguta huchikwira kudenga, vakashaiwa kwavangatizira kupi nokupi; navanhu vakanga vatizira kurenje vakadzoka kuzorwa navaivatevera.
Zvino Joshua navaIsiraeri vose vakati vaona kuti vavandiri vakunda guta, uye kuti utsi hweguta hwokwira kudenga, vakadzokazve kuzouraya varume veAi.
Navamwe vakabuda muguta kuzorwa navo; naizvozvo vakanga vari pakati pavaIsiraeri, vamwe nechouno vamwe nechokoko; vakavauraya, kusvikira vasina kurega mumwe wavo ari mupenyu, kana wakatiza.
Vakabata mambo weAi, achiri mupenyu, vakamuisa kuna Joshua.
Zvino vaIsiraeri vakati vapedza kuuraya nomunondo unopinza vanhu vose veAi kusango, kurenje kwavakanga vavateverera, kusvikira vapera, vaIsiraeri vakadzokera Ai, vakariparadza nomunondo unopinza.
Vose vakaurawa nomusi iwoyo, varume navakadzi, vakanga vane zviuru zvine gumi nezviviri, ivo varume vose veAi,
nokuti Joshua haana kudzosa ruoko rwake, rwaakanga akatambanudza pfumo, kusvikira aparadza chose vanhu veAi.
Asi mombe nezvingatapwa zveguta iro vaIsiraeri vakazvitapa kuti zvive zvavo, zvakarehwa neshoko raJehovha, raakaraira Joshua.
Naizvozvo Joshua akapisa Ai, akariita murwi ungavapo nokusingaperi, nedongo kusvikira nhasi.
Akasungirira mambo weAi pamuti kusvikira madekwana; asi pakuvira kwezuva Joshua akavaraira, vakaturura chitunha chake pamuti, vakachikanda panopindwa napo pasuo reguta, vakatutira pamusoro pacho murwi mukuru wamabwe; aripo kusvikira nhasi.
Zvino Joshua wakavakira Jehovha Mwari waIsiraeri atari pagomo reEbhari,
sezvakanga zvarairwa vana vaIsiraeri naMozisi, muranda waJehovha, sezvakanyorwa mubhuku yomurayiro waMozisi; yakanga iri aritari yamabwe asina kuvezwa; hakuna munhu wakanga asimudzira dare pamusoro pawo; vakabayirapo Jehovha zvipiriso zvinopiswa, nokubayirawo zvipiriso zvokuyananisa.
Akanyorazve ipapo pamabwe murayiro waMozisi, waakanyora pamberi pavaIsiraeri.
Valsiraeri vose navakuru vavo navatariri vavo, navatongi vavo vakamira paareka nechouno necheseri, pamberi pavapirisiti vaRevhi, vaisitakura areka yesungano yaJehovha, pamwechete navatorwa navakanga vaberekerwa munyika; hafu yavo pamberi pegomo reGerizimi, nehafu yavo pamberi pegomo reEbhari; sezvakanga zvarairwa naMozisi, muranda waJehovha, kuti vatange kuropafadza vana vaIsiraeri.
Pashure akarava mashoko ose omurayiro, okuropafadza nookutuka, sezvazvakanyorwa zvose mubhuku yomurayiro.
Kwakanga kusine shoko rimwe, pazvose zvakanga zvarairwa naMozisi, risina kurahwa naJoshua pamberi peungano yose yavalsiraeri, navakadzi navana, navatorwa vakanga vagere pakati pavo.
9
Zvino madzimambo ose akanga agere mhiri kwaJorodhani, panyika yamakomo nenyika yamapani, napamhenderekedzo dzose dzegungwa guru pamberi peRebhanoni, vaHeti, navaAmori, navaKenani, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi, vakati vachinzwa izvozvo,
vakaungana nomoyo mumwe kundorwa naJoshua navaIsiraeri.
Asi vanhu veGibhiyoni vakati vachinzwa zvakanga zvaitirwa Jeriko neAi naJoshua,
vakatsvaka mano, vakaenda senhume, vakaenda nehomo dzakasakara pamusoro pembongoro dzavo, nehombodo dzewaini dzakasakara, dzakanga dzakaparuka, nokusonanidzwazve;
neshangu dzakasakara, dzaiva nezviremo patsoka dzavo, nenguvo dzakasakara; zvingwa zvavo zvose zvembuva yavo zvakanga zvakaoma nokuvhuvha.
Vakaenda kuna Joshua kumisasa paGirigari, vakati kwaari nokuvarume vaIsiraeri, Tinobva kunyika iri kure; naizvozvo itai sungano nesu zvino.
Varume vaIsiraeri vakati kuvaHivhi, Zvimwe mugere pakati pedu; tingaita sungano nemi seiko?
Ivo vakati, Tiri varanda venyu. Joshua akati kwavari, Ndimwi aniko? Munobvepi?
Vakati, Varanda venyu vabva kunyika iri kure-kure, nokuda kwezita raJehovha Mwari wenyu, nokuti takanzwa mukurumbira wake nezvose zvaakaita Ijipiti.
Uye zvose zvaakaitira madzimambo maviri avaAmori, akanga ari mhiri kwaJorodhani, naSihoni mambo weHeshibhoni, naOgi mambo weBhashani, wakanga ari paAshitaroti.
Vakuru vedu navanhu vose venyika yedu vakataura nesu, vakati, Torai mbuva yenzira mumaoko enyu, mundosangana navo, muti kwavari, Tiri varanda venyu; zvino itai sungano nesu.
Zvingwa izvo zvembuva yedu takazvitora zvichakapisa mudzimba dzedu musi watakabuda, tichiuya kwamuri; asi zvino tarirai, zvaoma, zvavhuvha.
Nehombodo idzi dzewaini, dzatakazadza, dzakanga dziri itsva; tarirai, dzaparuka; nenguvo dzedu idzi, neshangu dzedu zvasakara nemhaka yorwendo rurefu-refu.
Ipapo varume vakatora zvimwe zvembuva yavo, vasingabvunzi muromo waJehovha.
Joshua akayanana navo, akaita sungano navo, kuti vachavarega vari vapenyu; machinda eungano akapika kwavari.
Zvino mazuva matatu akati apera, vaita sungano navo, vakanzwa kuti vagere pedo navo napakati pavo.
VaIsiraeri vakafamba, vakasvika pamaguta avo nezuva retatu. Maguta avo aiva Gibhiyoni, neKefira, neBheroti, naKiriatijearimi.
Vana vaIsiraeri havana kuvaparadza, nokuti machinda eungano akanga apika kwavari naJehovha Mwari waIsiraeri. Ungano yose ikapopotera machinda.
Asi machinda ose akati kuungano yose, Takapika kwavari naJehovha, Mwari waIsiraeri, naizvozvo zvino hatigoni kuvaitira chinhu.
Tichavaitira chinhu ichi, tichavarega vari vapenyu, kuti tirege kuwirwa nokutsamwa kwaMwari nokuda kwokupika, kwatakapika kwavari.
Zvino machinda akati kwavari, Ngavararame havo. Vakava vatemi vehuni navateki vemvura veungano yose, sezvavakaudzwa namachinda.
Zvino Joshua akavadana, akataura navo, akati, Matinyengedzerereiko, muchiti, Takabva kure-kure nemi, zvamugere pakati pedu?
Naizvozvo zvino muri vanhu vakatukwa, muchangosiva varanda navatemi vehuni navateki vemvura veimba yaMwari wangu.
Vakapindura Joshua, vakati, Nokuti varanda venyu vakanga vaudzwa zvirokwazvo kuti Jehovha Mwari wenyu wakanga araira muranda wake Mozisi, kuti akupei nyika yose, nokuparadza vose vagere panyika ino pamberi penyu; naizvozvo takatya kwazvo nokuda kwenyu kuti tichaurawa, tikaita chinhu ichi.
Zvino tarirai, tiri pamaoko enyu, itai nesu sezvamunoti ndizvo zvakanaka nezvakarurama.
Akavaitira saizvozvo, akavarwira pamaoko avana vaIsiraeri, ivo vakasavauraya.
Musi iwoyo Joshua akavaita vatemi vehuni navateki vemvura yeungano neyearitari yaJehovha, kusvikira nhasi panzvimbo yaizotsaurwa naye.
10
Zvino Adhoni-zedheki, mambo weJerusaremu, wakati achinzwa kuti Joshua wakakunda Ai, akariparadza chose, uye kuti wakaitira Ai namambo waro sezvaakaitira Jeriko namambo waro, uye kuti vanhu veGibhiyoni vakanga vayanana navaIsiraeri, vakagara pakati pavo;
vakatya kwazvo, nokuti Gibhiyoni rakanga riri guta guru, rakanga rakaita somumwe wemizinda yamambo; uye nokuti rakanga riri guru kupfuura Ai, navarume varo vose vakanga vane simba.
Naizvozvo Adhoni-zedheki, mambo weJerusaremu, akatuma nhume kuna Hohami, mambo weHebhuroni, nokuna Pirami, mambo weJarimuti, nokuna Jafia, mambo weRakishi, nokuna Dhebhiri, mambo weEgironi, akati,
Kwirai kwandiri, mundibatsire, tirwe navaGibhiyoni, nokuti vakayanana naJoshua navana vaIsiraeri.
Naizvozvo madzimambo mashanu avaAmori, vaiti mambo weJerusaremu, namambo weHebhuroni, namambo weJarimuti, namambo weRakishi, namambo weEgironi vakaungana, vakaenda ivo nehondo dzavo dzose, vakavaka misasa yavo pamberi peGibhiyoni, vakarwa naro.
Ipapo varume veGibhiyoni vakatuma nhume kuna Joshua kumisasa yakanga iri paGirigari, vakati, Musaregerera henyu varanda venyu; kurumidzai mukwire kwatiri, mutirwire nokutibatsira, nokuti madzimambo ose avaAmori vagere munyika yamakomo vakatiunganira kuzorwa nesu.
Ipapo Joshua akakwira achibva Girigari, iye navanhu vose vehondo vaakanga anavo, navarume vose vaiva nesimba noumhare.
Jehovha akati kuna Joshua, Usavatya, nokuti ndavaisa mumaoko ako; hakuna munhu uchagona kumira pamberi pako.
Naizvozvo Joshua akavarwira pakarepo; akafamba usiku hwose achibva Girigari.
Zvino Jehovha akavavhundusa pamberi paIsiraeri, akavauraya nokuuraya kukuru paGibhiyoni, akavadzingirira nenzira yaikwira Bheti-horoni, akavaparadza kusvikira Azeka, nokusvikira Makedha.
Zvino vakati vachitiza pamberi pavaIsiraeri, vari pamatenusirwa anoburukira Bheti-horoni, Jehovha akakanda pamusoro pavo mabwe makuru akanga achibva kudenga, kusvikira Azeka, vakafa; ivo, vakafa nechimvuramabwe, vakanga vari vazhinji kuna vakaurawa neminondo navana vaIsiraeri.
Zvino Joshua akataura naJehovha nomusi Jehovha waakaisa vaAmori mumaoko avana valsiraeri, akati pamberi pavaIsiraeri, Iwe zuva mira pamusoro peGibhiyoni, Newe mwedzi pamupata weAjaroni.
Zuva rikamira, nomwedzi ukarambirapo, Kusvikira rudzi rwatsiva vavengi varwo. Izvi hazvina kunyorwa here mubhuku yaJashari? Zuva rikaramba rimire pakati pedenga, rikasakurumidza kuvira nguva yakaita sezuva rose.
Hakuna kumbova nezuva rakadaro kubva pakutanga kana shure kwaro, kuti Jehovha wakateerera inzwi romunhu; nokuti Jehovha wakarwira vaIsiraeri.
Joshua akadzokera navaIsiraeri vose kumisasa paGirigari.
Madzimambo awo mashanu akatiza, vakandovanda mubako paMakedha.
Joshua akaudzwa, zvichinzi, Madzimambo iwayo mashanu akawanikwa, akavanda mubako paMakedha.
Zvino Joshua akati, Kungurusai mabwe makuru pamuromo webako, nokuisa varume ipapo kuvarinda.
Asi imwi musamira henyu; teverai vavengi venyu, mundovauraya veshure vavo; musavatendera kupinda mumaguta avo, nokuti Jehovha Mwari wenyu wakavaisa mumaoko enyu.
Zvino Joshua navana vaIsiraeri vakati vapedza kuvauraya nokuuraya kukuru, kusvikira vaparadzwa, navakanga vasara kwavari vapinda mumaguta akavakirwa masvingo;
vanhu vose vakadzokera kumisasa kuna Joshua paMakedha norugare; hakuna munhu wakasimudzira mumwe wavana vaIsiraeri rurimi rwake.
Zvino Joshua akati, Zarurai muromo webako, mubudise madzimambo mashanu iwayo mubako muuye nawo kwandiri.
Ivo vakaita saizvozvo, vakabudisa madzimambo iwayo mashanu mubako vakauya navo kwaari, vaiti mambo weJerusaremu, namambo weZebhuroni, namambo weJarimuti, namambo weRakishi, namambo weEgironi.
Zvino vakati vabudisa madzimambo iwayo vakauya navo kuna Joshua, Joshua akadana varume vose vaIsiraeri, akati kuvakuru vehondo vakanga vanaye, Swederai, muise tsoka dzenyu pamitsipa yavo.
Zvino Joshua akati kwavari, Musatya, kana kuvhunduswa; simbai mutsunge moyo, nokuti Jehovha uchaita saizvozvo navavengi venyu vose, vamunorwa navo.
Pashure Joshua akavabaya, akavauraya, ndokuvasungirira pamiti kusvikira madekwana.
Nenguva yokuvira kwezuva Joshua akaraira vanhu, vakavaturura pamiti, vakavakandira mubako mavakanga vakavanda, vakaisa mabwe makuru pamuromo webako; aripo kusvikira zuva rino ranhasi.
Joshua akakunda Makedha nomusi iwoyo, akariparadza neminondo inopinza, namambo waro; akavaparadza chose navanhu vose vakanga varimo; haana kusiya kunyange nomumwe; akaitira mambo weMakedha sezvaakaitira mambo weJeriko.
Zvino Joshua akabva Makedha, iye navalsiraeri vose vaakanga anavo, vakaenda Ribhina vakarwa neRibhina;
Jehovha akariisawo namambo waro mumaoko alsiraeri; akariparadza neminondo inopinza, navanhu vose vakanga varimo; haana kusiyamo kunyange nomumwe; akaitira mambo waro sezvaakaitira mambo weJeriko.
Zvino Joshua akabva Ribhina, iye navaIsiraeri vose vaakanga anavo, vakaenda Rakishi, vakavaka misasa yavo pedo naro, vakarwa naro;
Jehovha akaisa Rakishi mumaoko avaIsiraeri, akarikunda nezuva repiri, akariparadza neminondo inopinza, navanhu vose vakanga varimo, sezvose zvaakaitira Ribhina.
Zvino Horamu, mambo weGezeri, wakakwira kuzobatsira Rakishi; Joshua akamuuraya navanhu vake, kusvikira asina kumusiyira kunyange nomunhu mumwe.
Zvino Joshua akabva Rakishi, iye navaIsiraeri vose vaakanga anavo, vakaenda Egironi; vakavaka misasa yavo pedo naro, vakarwa naro;
vakarikunda nomusi iwoyo, vakariparadza neminondo inopinza; vakaparadza chose nomusi iwoyo vanhu vose vakanga varimo, sezvose zvaakaitira Rakishi.
Zvino Joshua akabva Egironi, iye navaIsiraeri vose vaakanga anavo, vakaenda Hebhuroni, vakarwa naro;
vakarikunda, nokuriparadza neminondo inopinza, namambo waro, namaguta aro ose, navanhu vose vakanga varimo; haana kusiya kunyange nomumwe, sezvose zvaakaitira Egironi; asi wakariparadza chose navanhu vose vakanga varimo.
Zvino Joshua akadzokera Dhebhiri, navaIsiraeri vose vaakanga anavo; vakarwa naro;
akarikunda, namambo waro, namaguta aro ose; vakavauraya neminondo inopinza, nokuparadza chose vanhu vose vakanga varimo; haana kusiya kunyange nomumwe; sezvaakaitira Hebhuroni, ndizvo zvaakaitira Dhebhiriwo, namambo waro; sezvaakaitirawo Ribhina namambo waro.
Saizvozvo Joshua wakaparadza nyika yose, nyika yamakomo neyenyasi, neyamapani, neyemitenusirwa, namadzimambo adzo ose, haana kusiya kunyange nomumwe; asi wakaparadza zvose zvipenyu, sezvakaraira Jehovha Mwari waIsiraeri.
Joshua akavaparadza kubva Kadheshi-bharinea kusvikira Gaza, nenyika yose yeGosheni kusvikira Gibhiyoni.
Madzimambo iwayo ose nenyika dzawo akakundwa naJoshua nenguva imwe, nokuti Jehovha Mwari waIsiraeri wakarwira Isiraeri.
Ipapo Joshua akadzokera kumisasa paGirigari, iye navaIsiraeri vose vaakanga anavo.
11
Zvino Jabhini, mambo weHazori wakati achizvinzwa, akatuma nhume kuna Jobhabhu, mambo weMadhoni, nokuna mambo weShimuroni, nokuna mambo weAkishafi,
nokuna madzimambo akanga ari kurutivi rwokumusoro, panyika yezvikomo, nomumupata kurutivi rwenyasi rweKineroti, nomumapani, nokuzvikomo zvapaDhori, kurutivi rwamavirazuva,
nokuvaKenani kurutivi rwamabvazuva nokumavirira, navaAmori, navaHeti, navaPerezi, navaJebhusi, panyika yamakomo, navaHivhi vakanga vagere mujinga meHorimoni, panyika yeMizipa.
Vakabuda, ivo nehondo dzavo dzose dzavakanga vanadzo, vari vazhinji, sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa nokuwanda, namabhiza nengoro zhinji-zhinji.
Madzimambo awa ose akaungana, vakauya pamwechete kuvaka misasa yavo pamvura yeMeromi, kuzorwa navaIsiraeri.
Zvino Jehovha akati kuna Joshua, Usavatya, nokuti mangwana nenguva ino ndichavaisa vose mumaoko ako, vaurawe pamberi pavaIsiraeri; unofanira kugura marunda amakumbo amabhiza avo, nokupisa ngoro dzavo nomoto.
Zvino Joshua akauya pakarepo, iye navanhu vose vehondo vaakanga anavo, kuti arwe navo pamvura yeMeromi, akavavamba.
Jehovha akavaisa mumaoko avaIsiraeri, vakavaparadza nokuvadzinga kusvikira paguta guru Zidhoni, nokusvikira Misirefoti-maimi, nokusvikira kumupata weMizipe kumabvazuva; vakavauraya kusvikira vasina kusiya kunyange nomumwe chete.
Joshua akavaitira sezvaakanga arairwa naJehovha; akagura marunda amakumbo amabhiza avo, nokupisa ngoro dzavo nomoto.
Nenguva iyo Joshua akadzoka, akakunda Hazori, akauraya mambo waro nomunondo; nokuti pakutanga Hazori waiva muzinda woushe ihwo hwose.
Vakauraya vanhu vose vakanga varimo neminondo inopinza, vakavaparadza chose; hakuna chinhu chimwe chinofema chakasara; vakapisa Hazori nomoto.
Joshua akakundawo maguta ose amadzimambo iwayo, namadzimambo awo ose, akavauraya neminondo inopinza, akavaparadza chose; sezvakanga zvarairwa naMozisi muranda waJehovha.
Asi maguta akanga ari pazvikomo zvavo, vaIsiraeri havana kuapisa kunyange nerimwe chete, asi Hazori chete; Joshua wakapisa irero.
Vana vaIsiraeri vakatapa zvose zvavakapamba zvamaguta iwayo, nemombe; asi vakauraya varume vose neminondo inopinza, kusvikira vavaparadza; havana kusiya kunyange nechinhu chimwe chete chinofema.
Sezvakanga zvarairwa Mozisi muranda wake naJehovha, ndizvo Mozisi zvaakaraira Joshua; Joshua akaita saizvozvo, haana kusiya chinhu chimwe chete pazvose zvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
Saizvozvo Joshua akakunda nyika iyo yose, iyo nyika yamakomo, nenyika yose yezasi, nenyika yose yeGosheni, nebani, noMupata, nenyika yamakomo yaIsiraeri, nebani rayo;
kubva pagomo reHaraki, rinokwira Seiri, kusvikira paBhaari-gadhi pamupata weRebhanoni, mujinga megomo reHerimoni; akakunda madzimambo aro ose, akavaparadza nokuvauraya.
Joshua akarwa namadzimambo iwayo ose mazuva mazhinji.
Hakuna guta rakayanana navaIsiraeri, asi vaHivhi vakanga vagere Gibhiyoni; vakakunda zvose pakurwa.
Nokuti Jehovha ndiye wakaomesa moyo yavo, kuti varwe navaIsiraeri, kuti avaparadze chose, varege kunzwirwa tsitsi; asi avaparadze, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
Nenguva iyo Joshua akaenda akaparadza vaAnaki panyika yamakomo, paHebhuroni, napaDhebhiri, napaAnabhi, napanyika yose yamakomo yaJudha, napanyika yose yamakomo yalsiraeri; Joshua akavaparadza chose pamwechete namaguta avo.
Hakuna kuvaAnaki wakasara panyika yavana vaIsiraeri; asi paGaza, napaGadhi, napaAshidhodhi ndipo pakasara vamwe.
Joshua akakunda saizvozvo nyika yose sezvose zvakaudzwa Mozisi naJehovha; Joshua akaipa vana vaIsiraeri, kuti ive nhaka yavo, sezvavakanga vakamurwa namarudzi avo. Nyika ikazorora pakurwa.
12
Ndiwo madzimambo enyika akakundwa navana vaIsiraeri, vavakatorera nyika yavo mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, kubva pamupata weArinoni kusvikira pagomo reHerimoni, nerenje rose riri kumabvazuva:
Sihoni, mambo wavaAmori, wakanga agere Heshibhoni, waibata ushe kubva paAroeri, parutivi rwomupata weArinoni, neguta raiva pakati pomupata, nehafu yeGiriyadhi, kusvikira kurwizi Jabhoki, waiva muganhu wavana vaAmoni;
nerenje, kusvikira pagungwa reKineroti kumabvazuva, nokusvikira pagungwa rerenje, iro Gungwa roMunyu, kumabvazuva nenzira inoenda Bhetijeshimoti; nokurutivi rwezasi pajinga pePisiga;
nenyika yaOgi, mambo weBhashani, wakanga asara pavaRegaimu, vakanga vagere paAshitaroti neEdhirei,
waibata ushe pagomo reHerimoni, napaSareka, napaBhashani rose, kusvikira kumuganhu wavaGeshuri, navaMaakati, nehafu yeGiriyadhi; ndiyo nyika yaSihoni, mambo weHeshibhoni.
Mozisi muranda waJehovha, navana vaIsiraeri vakavakunda; Mozisi muranda waJehovha akaipa Rubheni, navaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase, kuti ive yavo.
Ndiwo madzimambo enyika iyo akakundwa naJoshua navana vaIsiraeri mhiri kwaJorodhani kumavirazuva, kubva paBhaari-gadhi mumupata weRebhanoni, kusvikira pagomo reHaraki rinokwira richienda Seiri; Joshua akaipa marudzi avaIsiraeri sezvavakanga vakamurirwa, kuti ive yavo.
Panyika yamakomo, nomumapani, nomuArabha, napamitenusirwa, nomurenje, nezasi; ndiyo yaiva nyika yavaHeti, neyavaAmori, neyavaKenani, neyavaPerezi, neyavaHivhi, neyavaJebhusi,
mambo weJeriko ndiye mumwe; namambo weAi, pedo neBheteri, mumwe;
namambo weJerusaremu, mumwe; namambo weHebhuroni, mumwe;
namambo weJarimuti, mumwe; namambo weRakishi, mumwe;
namambo weEgironi, mumwe; namambo weGezeri mumwe;
namambo weDhebhiri, mumwe; namambo Gedheri, mumwe;
namambo weHoma, mumwe; namambo weAradhi, mumwe;
namambo weRibhina, mumwe, namambo weAdhuramu, mumwe;
namambo weMakedha, mumwe; namambo weBheteri, mumwe;
namambo weTapua, mumwe, namambo weHeferi, mumwe;
namambo weAfeki, mumwe; namambo weRasharoni, mumwe;
namambo weMadhoni, mumwe; namambo weHazori, mumwe;
namambo weShimuroni-meroni, mumwe namambo weAkishafi, mumwe;
namambo weTaanaki, mumwe; namambo weMegidho, mumwe;
namambo weKedheshi, mumwe; namambo weJokineamu paKarimeri, mumwe;
namambo weDhori panyika yamakomo yaDhori, mumwe; namambo weGoimi paGirigari, mumwe;
namambo weTiriza, mumwe; madzimambo ose akanga ana makumi matatu nomumwe.
13
Zvino Joshua wakanga akwegura, ava namakore mazhinji; Jehovha akati kwaari, Wakwegura, wava namakore mazhinji, dzichiriko nyika zhinji dzinofanira kuva dzenyu.
Nyika yasara ndiyo: Nyika dzose dzavaFirisitia, navaGeshuri vose;
kubva paShihori kurutivi rweIjipiti, kusvikira kumuganhu weEkironi kumusoro, wainzi ndowavaKenani; madzishe mashanu avaFirisitia, vaiti: WeGaza, noweAshidhodhi, noweAshikeroni, noweGiti, noweEkironi, navaAvhimi,
kurutivi rweZasi, nyika yose yavaKenani, neMeara, waiva wavaZidhoni, kusvikira paAfeki, kusvikira kumuganhu wavaAmori;
nenyika yavaGebhari, neRebhanoni rose kumabvazuva, kubva paBhaari-gadhi panjinga pegomo reHemoni, kusvikira pavanopinda paHamati;
vanhu vose vagere panyika yamakomo, kubva paRebhanoni kusvikira paMisirefotimaimi, navaZidhoni vose, ivavo ndichavadzinga pamberi pavana vaIsiraeri; asi iwe unofanira kuipa vana vaIsiraeri, ive nhaka yavo, sezvandakakuraira.
Zvino unofanira kugovera nyika iyi pakati pamarudzi mapfumbamwe nehafu yorudzi rwaManase, ive nhaka yavo.
VaRubheni navaGadhi vakapiwa nhaka yavo pamwechete naye, iyo yavakanga vapiwa naMozisi mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, sezvavakapiwa naMozisi, muranda waJehovha;
kubva paAroeri, parutivi rwomupata weArinoni, neguta raiva pakati pomupata, nebani rose reMedhebha kusvikira paDhibhoni;
namaguta ose aSihoni, mambo wavaAmori, wakanga achibata ushe paHeshibhoni, kusvikira kumuganhu wavana vaAmoni;
neGiriyadhi, nenyika yavaGeshuri navaMaakati, negomo rose reHemoni, neBhashani rose kusvikira paSareka,
noushe hwose hwaOgi paBhashani, wakanga achibata ushe paAshitaroti neEdhirei (ndiye wakanga asara pavaRefaimu); nokuti ndivo vakanga vakundwa naMozisi vakadzingwa naye.
Kunyange zvakadaro vana vaIsiraeri havana kudzinga vaGeshuri kana vaMaakati, asi vaGeshuri navaMaakati vagere pakati pavaIsiraeri kusvikira nhasi.
Asi rudzi rwavaRevhi bedzi haana kurupa nhaka; zvipiriso zvaJehovha, Mwari waIsiraeri, zvaipiswa, ndizvo zvaiva nhaka yavo, sezvaakataura naye.
Joshua akapa rudzi rwavana vaRubheni mugove wavo nedzimba dzavo.
Nyika yavo yakabva paAroeri, parutivi rwomupata weArinoni, neguta raiva pakati pomupata, nebani rose paMedhebha;
Heshibhoni namaguta aro ose ari pabani; Dhibhoni, neBhamoti-bhaari, neBheti-bhaari-meoni;
neJahazi, neKedhemoti, neMefahati;
neKiriataimi, neSibhima, neZereti-shahari mugomo romupata;
neBheti-peori, nemitenusirwa yePisiga, neBheti-jeshimoti,
namaguta ose ebani, noushe hwose hwaSihoni, mambo wavaAmori, wakanga achibata ushe paHeshibhoni, wakanga akundwa naMozisi pamwechete navakuru veMidhiani, neEvhi, neRekemi, neZuri, neHuri, neRebha, namachinda aSihoni, akanga agere munyika iyo.
Bharamu, mwanakomana waBheori, muvuki, naiyewo wakaurawa nomunondo navana vaIsiraeri pakati pavamwe vakaurawa navo.
Muganhu wavana vaRubheni rwakanga ruri Jorodhani nenyika yarwo. Ndiyo yaiva nhaka yavana vaRubheni nemhuri dzavo, iwo maguta nemisha yawo.
Mozisi akapa rudzi rwavaGadhi, ivo vana vaGadhi, mugove wavo nemhuri dzavo.
Nyika yavo raiva Jazeri, namaguta ose eGiriyadhi, nehafu yenyika yavana vaAmoni, kusvikira paAroeri, pamberi peRabha;
nokubva paHeshibhoni, kusvikira paRamati-mizipe, neBhetonimu; nokubva paMahanaimu, kusvikira pamuganhu weDhebhiri;
nomumupata Bheti-harami, neBhetinemura, neSukoti, neZafoni, nohumwe ushe hwakanga hwasara hwaSihoni, mambo weHeshibhoni, neJorodhani nenyika yarwo, kusvikira pamagumisiro egungwa reKineroti, mhiri kwaJorodhani, kumabvazuva.
Ndiyo nhaka yavana vaGadhi nemhuri dzavo iwo maguta nemisha yawo.
Mozisi akapa hafu yorudzi rwaManase nhaka yavo; ndiyo yaiva nhaka yehafu yorudzi rwavana vaManase nemhuri dzavo.
Nyika yavo yakabva paMahanaimu, neBhashani rose, noushe hwaOgi, mambo weBhashani, nemisha yose yeJairi, yaiva paBhashani, maguta makumi matanhatu;
nehafu yeGiriyadhi, neAshitaroti, neEdhirei, maguta oushe hwaOgi paBhashani, ndiyo yaiva yavana vaMakiri, mwanakomana waManase, yehafu yavana vaMakiri nemhuri dzavo.
Ndidzo nhaka dzakagoverwa naMozisi pamapani aMoabhu, mhiri kwaJorodhani paJeriko kumabvazuva.
Asi rudzi rwavaRevhi haruna kupiwa nhaka naMozisi; Jehovha Mwari waIsiraeri, iye amene, ndiyo nhaka yavo, sezvavakaudzwa naye.
14
Ndidzo nhaka dzakagamuchirwa navana vaIsiraeri panyika yeKenani, dzavakagoverwa nomupirisiti Ereazari, naJoshua mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana vaIsiraeri.
Vakagoverwa nhaka yavo nemijenya, sezvavakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi, nhaka yamarudzi mapfumbamwe nehafu.
Nokuti Mozisi wakanga apa marudzi maviri nehafu nhaka yavo mhiri kwaJorodhani; asi vaRevhi haana kuvapa nhaka pakati pavo.
Nokuti vana vaJosefa vakanga vana marudzi maviri; rwaManase norwaEfuremu; havana kupa vaRevhi mugove munyika iyo, asi maguta mavangagara, namafuro awo emombe dzavo nefuma yavo.
Vana vaIsiraeri vakaita sezvakarairwa Mozisi naJehovha, vakakamura nyika.
Zvino vana vaJudha vakaswedera kuna Joshua paGirigari, Karebhu mwanakomana waJefune, muKenizi, akati kwaari, Unoziva shoko rakataurwa naJehovha kuna Mozisi munhu waMwari, pamusoro pangu napamusoro pako, paKadheshi-bharinea.
Ini ndakanga ndasvika makore ana makumi mana nguva yandakatumwa naMozisi muranda waJehovha paKadheshi-bhanea kundoshora nyika, ndikadzoka neshoko kwaari sezvandakafunga ini.
Asi hama dzangu dzakanga dzakwira neni dzakaodza moyo yavanhu; asi ini ndakatevera Jehovha Mwari wangu nomoyo wose.
Mozisi akapika nomusi uyo, akati, Zvirokwazvo, nyika yakatsikwa norutsoka rwako, ichava nhaka yako neyavana vako nokusingaperi, nokuti wakatevera Jehovha Mwari wangu nomoyo wako wose.
Zvino tarira, Jehovha wakandichengeta ndiri mupenyu, sezvaakataura, makore ano ana makumi mana namashanu kubva panguva Jehovha yaakataura shoko iri kuna Mozisi, vaIsiraeri vachafamba murenje; zvino, tarira, nhasi ndava namakore ana makumi masere namashanu.
Kunyange zvakadaro, nanhasi ndichine simba sezvandakanga ndakaita nomusi wandakatumwa naMozisi; sezvarakanga rakaita musi iwoyo, ndizvo zvakaita simba rangu nanhasi, kana rokurwa kana kubuda kana kupinda.
Naizvozvo zvino chindipa nyika, nyika iyi yamakomo, yakarehwa naJehovha musi iwoyo; nokuti nomusi iwoyo wakanzwa iwe kuti vaAnaki vakanga varipo namaguta makuru ana masvingo; zvimwe Jehovha uchava neni, ndikagona kuvadzinga, sezvakataurwa naJehovha.
Ipapo Joshua akamuropafadza, akapa Karebhu mwanakomana waJefune Hebhuroni, ive nhaka yake.
Naizvozvo Hebhuroni rakazova nhaka yaKarebhu mwanakomana waJefune, muKenizi, kusvikira nhasi; nokuti wakanga atevera Jehovha Mwari waIsiraeri nomoyo wake wose.
Zita reHebhuroni pakutanga rakanga riri Kiriati-aribha; iye Aribha wakanga ari munhu mukuru pakati pavaAnaki vose. Ipapo nyika ikazorora pakurwa.
15
Mugove worudzi rwavana vaJudha nemhuri dzavo wakasvikira pamuganhu waEdhomu, iko kurenje reZini kurutivi rwezasi, kusvikira zasi kwazvo.
Muganhu wavo wezasi wakabva pamuganhu weGungwa roMunyu, kubva apo pakapinda nyika mugungwa, panotarira kurutivi rwezasi;
ndokupfuura zasi kwegomo reAkirabhimi, ndokupfuura nokurutivi rweZini, ndokukwira nechenyasi kweKadheshi-bharinea, ndokupfuura napaHezironi, ndokukwira napaAdhari, ndokudzoka napaKarika;
ndokupfuura kusvikira paAzimoni, ndokubuda naparukova rweIjipiti; muganhu uyu ndokuguma pagungwa; ndiwo unofanira kuva muganhu wezasi.
Muganhu wokumabvazuva wakatanga paGungwa roMunyu kusvikira pamuganhu waJorodhani. Muganhu worutivi rwokumusoro wakatanga apo panopinda nyika mugungwa kusvikira pamugumo waJorodhani,
ndokukwira kuBheti-hogira, ndokupfuura nokumusoro kweBheti-arabha; muganhu ndokukwira kubwe raBhohani, mwanakomana waRubheni;
muganhu ndokukwira nokuDhebhiri, uchibva pamupata weAkori, ndokudaro uchienda kumusoro wakatarisana neGirigari, pakatarisanazve negomo reAdhumimi, riri kurutivi rwezasi rworwizi; muganhu ndokupfuura napamvura yeEni-shemeshi, ndokuguma paEni-rogeri;
muganhu ndokukwira napamupata womwanakomana waHinomi, kusvikira kurutivi rwavaJebhusi zasi (ndiro Jerusaremu); muganhu ndokukwira kusvikira pamusoro wegomo riri pamberi pomupata weHinomi kumavirazuva, uri pamugumo kwazvo womupata weRefaimu, kurutivi rwokumusoro.
Muganhu ndokutarwa kubva pamusoro pegomo kusvikira kutsime remvura yeNefitoa, ndokuguma pamaguta pagomo reEfuroni; zvino muganhu ndokutarwa kusvikira Bhara (ndiro Kiriati-jearimi).
Muganhu ndokudzoka uchibva paBhara nokumavirazuva kusvikira pagomo reSeiri, ndokupfuura nokurutivi rwegomo reJearimi nechokumusoro (ndiro Kesaroni), ndokuburukira kusvikira paBheti-shemeshi, ndokupfuura napaTimuna;
muganhu ndokupfuura kurutivi rweEkironi, kumusoro; muganhu ndokutarwa kusvikira paShikeroni, ndokupfuura napagomo reBhara, ndokupfuura paJabhuneeri; muganhu ndokuguma pagungwa.
Muganhu wokumavirazuva wakasvika kugungwa guru nenyika yaro. Ndiwo muganhu wavana vaJudha kunhivi dzose nemhuri dzavo.
Asi wakapa Karebhu mwanakomana waJefune mugove pakati pavana vaJudha; sezvakarairwa Joshua naJehovha, akamupa Kiriati-abha; Abha wakanga ari baba vaAnaki (ndiro Hebhuroni).
Karebhu akadzingapo vanakomana vatatu vaAnaki, vaiti: Sheshai, naAhimani, naTamai, vanakomana vaAnaki.
Akabvapo, akandorwa navaigara Dhebhiri; zita reDhebhiri kare raiva Kiriati-seferi.
Karebhu akati, Munhu unorwa neKiriati-seferi, akarikunda, ndichamupa mukunda wangu Akisa, ave mukadzi wake.
Ipapo Otinieri, mwanakomana waKenazi, munununa waKarebhu, akarikunda; iye akamupa mukunda wake Akisa, akava mukadzi wake.
Zvino iye wakati achisvika kwaari, akamukurudzira kuti akumbire munda kuna baba vake; zvino iye akaburuka pambongoro yake, Karebhu akati kwaari, Unoreveiko?
Akati, Ndipei chipo; zvamakandiisa kunyika yezasi, ndipeiwo matsime emvura. Akamupa matsime okumusoro namatsime ezasi.
Ndiyo nhaka yorudzi rwavana vaJudha nemhuri dzavo.
Maguta okumudzivo orudzi rwavana vaJudha kumuganhu waEdhomu zasi akanga ari Kabhezeeri, neEdheri, neJaguri;
neKina, neDhimona, neAdhadha,
neKedheshi, neHazori, neItanani,
neZifi, neTeremi, neBheroti;
neHazori-hadhata, neKerioti-hezironi (ndiro Hazori);
neAmamu, neShema, neMoradha;
neHazari-gadha, neHeshimoni, neBheti-pereti,
neHazari-shuari, neBheeri-shebha, neBhiziotia;
neBhaara, neiyimi, neEzemi;
neEritoradhi, neKesiri, neHoma;
neZikiragi, neMadhamana, neSanisana;
neRebhaoti, neShirimi, neAini, neRimoni; maguta iwayo ose aiva namakumi maviri namapfumbamwe, pamwechete nemisha yawo.
Pabani pakanga pane Eshitaori, neZora, neAshina;
neZanoa, neEniganimi, neTapua, neEnami;
neJarimuti, neAdhuramu neSoko, neAzeka;
neSharaimi, neAdhitaimu, neGedhera, neGedherotaimi; maguta ane gumi namana, pamwechete nemisha yawo.
Zenani, neHadhasha, neMigadhari-gadhi;
neDhirani, neMizipe, neJokiteeri;
neRakishi, neBhosikati, neEgironi;
neKabhoni, neRamani, neKiterishi;
neGedheroti, neBheti-dhagoni, neNaama, neMakedha; maguta ane gumi namatanhatu, pamwechete nemisha yawo.
Ribhina, neEteri, neAshani;
neIfita, neShina, neNezibhi;
neKeira, neAkizibhi, neMaresha; maguta anamapfumbamwe, pamwechete nemisha yawo.
Ekironi, nemisha yaro, nemisha miduku yaro;
kubva paEkironi kusvikira pagungwa, maguta ose akanga ari parutivi rweAshidhodhi, pamwechete nemisha yawo.
Ashidhodhi, nemisha yaro, nemisha miduku yaro; neGaza, nemisha yaro, nemisha miduku yaro, kusvikira kurukova rweIjipiti, napagungwa guru nenyika yaro.
Nokunyika yamakomo, Shamiri, neJatiri, neSoko;
neDhana, neKiriatisana (ndiro Dhebhiri);
neAnabhi, neEshitemo, neAnimi;
neGosheni, neHoroni, neGiro; maguta ane gumi nerimwe, pamwechete nemisha yawo.
Arabhu, neDhuma, neEshani;
neJanimi, neBheti-tapua, neAfeka;
neHumuta, neKiriati-abha (ndiro Hebhuroni), neZiori; maguta mapfumbamwe, pamwechete nemisha yawo.
Maoni, neKarimeri, neZifi, neJuta;
neJezireeri, neJokidheami, neZanoa;
neKaini, neGibhiya, neTimuna; maguta ane gumi, pamwechete nemisha yawo.
Harikuri, neBheti-zuri, neGedhori;
neMaarati, neBheti-anoti, neEritekoni; maguta matanhatu, pamwechete nemisha yawo.
Kiriati-bhaari (ndiro Kiriati-jearimi), neRabha; maguta maviri, pamwechete nemisha yawo.
Murenje pakanga pane Bheti-abha, neMidhini, neSekaka;
neNibhishani, neGuta roMunyu, neEni-gedhi; maguta matanhatu, pamwechete nemisha yawo.
Asi vana vaJudha vakanga vasingagoni kudzinga vaJebhusi vakanga vagere Jerusaremu; asi vaJebhusi vakagara Jerusaremu pamwechete navana vaJudha kusvikira nhasi.
16
Mugove wavana vaJosefa wakatanga paJorodhani paJeriko, pamvura yeJeriko kumabvazuva kurenje, uchitanga paJeriko, ndokukwira napanyika yamakomo uchienda Bheti-eri;
ndokubva Bheti-eri kusvikira paRuzi, ndokupfuura napamuganhu wavaArikiti kusvikira paAtaroti;
ndokuburukira kumavirazuva kumuganhu wavaJafereti, kusvikira Gezeri, ndokuguma pagungwa.
Vana vaJosefa, Manase naEfuremu, vakatora nhaka yavo.
Muganhu wavana vaEfuremu nemhuri dzavo ndiwo: Muganhu wenhaka yavo kumabvazuva wakanga uri Atarotiadhari, kusvikira paBheti-horoni kumusoro;
zvino muganhu ndokuenda kumavirazuva paMikimetati kumusoro; zvino muganhu ndokudzoka kumabvazuva kusvikira paTanati-shiro, ndokupfuura ipapo kurutivi rwamabvazuva eJanoa;
ndokubva paJanoa, ndokuburukira Ataroti, neNaara, ndokusvika paJeriko, ndokuguma paJorodhani.
Kubva paTapua muganhu wakaenda kumavirazuva, kusvikira parukova Kana, ndokuguma pagungwa. Ndiyo nhaka yorudzi rwavana vaEfuremu nemhuri dzavo;
pamwechete namaguta akanga akakamurirwa vana vaEfuremu pakati penhaka yavana vaManase, maguta ose nemisha yawo.
havana kudzinga vaKenani vakanga vagere Gezeri; asi vaKenani vakagara pakati pavaEfuremu kusvikira nhasi; vakava vabati vechibharo.
17
Ndiwo mugove worudzi rwaManase; nokuti iye wakanga ari mwana wedangwe waJosefa. Kana ari Makiri, mwana wedangwe waManase, baba vaGiriyadhi, iye wakapiwa Giriyadhi neBhashani, nokuti wakanga ari murwi.
Vamwe vana vaManase vakapiwa mugove nemhuri dzavo: Vana vaAbhiezeri, navana vaHereki, navana vaAsirieri, navana vaShekemu, navana vaHeferi, navana vaShemidha, ndivo vakanga vari vana vavakomana vaManase, mwanakomana waJosefa, nemhuri dzavo.
Asi Zerofeadhi, mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGiriyadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, wakanga asina vanakomana, asi vanasikana bedzi; mazita avanasikana vake akanga ari Mara, naNoa, naHogira, naMirika, naTiriza.
Ivo vakaswedera kumupirisiti Ereazari, nokuna Joshua, mwanakomana waNuni, nokumachinda, vakati, Jehovha wakaraira Mozisi kuti atipe nhaka pakati pehama dzedu; naizvozvo akavapa nhaka pakati pavanununa vababa vavo, sezvakanga zvarairwa naJehovha.
Manase akapiwa migove ine gumi, kunze kweGiriyadhi neBhashani mhiri kwaJorodhani;
nokuti vanasikana vaManase vakanga vane nhaka pakati pavanakomana vake; nyika yeGiriyadhi yakanga iri yavamwe vanakomana vaManase.
Muganhu waManase wakabva kwaAsheri, ndokusvika paMikimetati, pamberi peShekemu; zvino muganhu ndokuenda kuruoko rworudyi, kusvikira kuvanhu vakanga vagere Eni-tapua.
Nyika yeTapua yakanga iri yaManase; asi Tapua pamuganhu waManase rakanga riri guta ravana vaEfuremu.
Zvino muganhu ndokuburuka kurukova Kana, nechezasi kworukova; maguta iwayo akanga ari aEfuremu, pakati pamaguta aManase; muganhu waManase wakanga uri nechokumusoro kworukova, ndokuguma pagungwa.
Kurutivi rwezasi nyika yakanga iri yaEfuremu; kurutivi rwokumusoro yakanga iri yaManase; gungwa waiva muganhu wake; miganhu ikasvika kwaAsheri kumusoro, nokwaIsakari kumabvazuva.
Pakati palsakari naAsheri Manase wakanga ane Bhetisheani nemisha yaro, neJibhireami nemisha yaro, navanhu vakanga vagere Dhori nemisha yaro, navanhu vakanga vagere Endori nemisha yaro, navakanga vagere Taanaki nemisha yaro, navakanga vagere Megidho nemisha yaro, ari makomo matatu.
Asi vana vaManase vakanga vasingagoni kudzinga vanhu vakanga vagere mumaguta iwayo; asi vaKenani vakaramba vachida kugara panyika iyo.
Zvino vana vaIsiraeri vakati vava nesimba, vakaita vaKenani vabati vechibharo, havana kuvadzinga chose.
Zvino vana vaJosefa vakataura naJoshua, vakati, Makatipireiko mugove mumwe chete nechikamu chimwe chete, kuti ive nhaka yedu, zvatiri vanhu vazhinji, nokuti Jehovha wakatiropafadza kusvikira zvino?
Joshua akati kwavari, Kana muri vanhu vazhinji, endai henyu kudondo, mundozvitemera nzvimbo ipapo panyika yavaPerezi neyavaRefaimu; zvamusingakwaniri panyika yamakomo yaEfuremu.,
Vana vaJosefa vakati, Nyika yamakomo haingatikwaniri; uye vaKenani vose vanogara munyika yomupata vane ngoro dzamatare, ivo vose vari paBhetisheani nemisha yaro, navari mumupata weJezireeri.
Zvino Joshua akataura naveimba yaJosefa, ivo vaEfuremu navaManase, akati, imwi muri vanhu vazhinji, mune simba guru, hamungavi nomugove mumwe chete;
asi nyika yamakomo ichava yenyu; nokuti kunyange riri dondo, muchafanira kuritema, mabudiro aro ose agova enyu; nokuti munofanira kudzinga vaKenani, kunyange vane ngoro dzamatare, uye kunyange vane simba.
18
Zvino ungano yose yavana vaIsiraeri yakaungana paShiro, ikadzikapo tende rokusangana; nyika yakanga yakundwa navo.
Asi pakati pavana vaIsiraeri kwakanga kwasara marudzi manomwe akanga achigere kukamurirwa nhaka yawo.
Zvino Joshua akati kuvana vaIsiraeri, Muchanonoka kusvikira rinhiko kupinda nokutora nyika, yamakapiwa naJehovha Mwari wamadzibaba enyu?
Zvitsaurirei varume vatatu kurudzi rumwe norumwe, ini ndivatume, vasimuke vafambe nenyika, vagorondedzera nhaka yavo; ipapo vauye kwandiri.
Vanofanira kuiganhura vachiita migove minomwe; vaJudha vanofanira kugara panyika yavo kurutivi rwezasi, uye veimba yaJosefa vanofanira kugara panyika yavo kurutivi rwokumusoro.
Zvino munofanira kurondedzera nyika, muchiita migove minomwe, mugouya nerondedzero kwandiri, ndikukandirei mijenya pano pamberi paJehovha Mwari wedu.
Nokuti vaRevhi havano mugove pakati penyu; nokuti upirisiti hwaJehovha ndiyo nhaka yavo; zvino vaGadhi navaRubheni, nehafu yorudzi rwaManase vakapiwa nhaka yavo mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, yavakanga vapiwa naMozisi muranda waJehovha.
Zvino varume avo vakasimuka, vakaenda, Joshua akaraira ivavo vakaenda kundorondedzera nyika, akati, Endai, mufambe nenyika, muirondedzere, mugodzokera kwandiri, ndikukandirei mijenya pano pamberi paJehovha paShiro.
Varume vakaenda, vakafamba nenyika, vakarondedzera mubhuku nyika namaguta ayo, vachiita migove mina, vakasvika kuna Joshua pamisasa paShiro.
Zvino Joshua akavakandira mijenya paShiro pamberi paJehovha; ipapo Joshua akagovera vana vaIsiraeri nyika sezvavakanga vakamurirwa. Nhaka yaBhenjamini
Rudzi rwavana vaBhenjamini vakagoverwa mugove wavo nemhuri dzavo; nyika yomugove wavo yakanga iri pakati pavana vaJudha navana vaJosefa.
Muganhu wavo kurutivi rwokumusoro wakabva paJorodhani; zvino muganhu ndokukwira kurutivi rweJeriko nechokumusoro, ndokukwira nenyika yamakomo kumavirazuva, ndokuguma murenje reBheti-avheni.
Muganhu ndokubvapo, ndokupfuura napaRuzi, kurutivi rwezasi rweRuzi (ndiro Bheteri); zvino muganhu ndokuburukira Ataroti-adhari, pedo negomo riri zasi kweBheti-horoni rezasi.
Muganhu ndokutarwa, uchibva pagomo riri pamberi peBheti-horoni zasi, ndokuguma paKiriati-bhaari (ndiro Kiriati-jearimi), guta ravana vaJudha; ndirwo rwaiva rutivi rwamavirazuva.
Rutivi rwezasi rwakabva pamugumo weKiriatijearimi, muganhu ndokuramba uchienda kumavirazuva, ndokubudira kutsime remvura yeNefitoa;
zvino muganhu ndokuburukira kumugumo wegomo riri pamberi pomupata womwanakomana waHinomi, mumupata weRefaimu kumusoro; ndokuburukira kumupata waHinomi, kurutivi rwavaJebhusi zasi, ndokuburukira Eni-rogeri;
zvino ndokutarwa kurutivi rwokumusoro, kubva paEni-shemeshi kusvikira paGeriroti, rakatarisana nejinga reAdhumimi; ndokuburukira kubwe raBhohani, mwanakomana waRubheni;
zvino ndokupfuurira kurutivi rwakatarisana neArabha, kumusoro, ndokuburukira kuArabha;
muganhu ndokupfuura nokurutivi rweBheti-hogira kumusoro, ndokuguma kumusoro apo pakapinda nyika muGungwa roMunyu, kumugumo wezasi waJorodhani; ndiwo waiva muganhu wezasi.
Jorodhani ndirwo rwakanga ruri muganhu wayo kumabvazuva. Ndiyo yakanga iri nhaka yavana vaBhenjamini, nemiganhu yayo kunhivi dzose, nemhuri dzavo.
Maguta orudzi rwavana vaBhenjamini, nemhuri dzavo, akanga ari Jeriko, neBheti-hogira, neEmeki-kezizi,
neBheti-arabha, neZemaraimi, neBheteri,
neAvhimu, nePara, neOfura,
neKefari-amoni, neOfini, neGebha; maguta ane gumi namaviri nemisha yawo;
neGibhiyoni, neRama, neBheroti,
neMizipe, neKefira, neMoza,
neRekemi, neIripeeri, neTarara,
neZera, neErefi, neJebhusi (ndiro Jerusaremu), neGibhiyati, neKiriati; maguta ane gumi namana nemisha yawo; ndiyo yakanga iri nhaka yavana vaBhenjamini nemhuri dzavo.
19
Mugove wechipiri wakapiwa Simeoni, irwo rudzi rwavana vaSimiyoni nemhuri dzavo; nhaka yavo yakanga iri pakati penhaka yavana vaJudha.
Panhaka yavo vakanga vane Bheeri-shebha, kana Shebha, neMoradha,
neHazari-shuari, neBhara, neEzemi,
neEritoradhi, neBheturi, neHoma,
neZikiragi, neBheti-marikabhoti, neHazari-susa,
neBheti-rebhaoti, neSharuheni; maguta ane gumi namatatu nemisha yawo.
Aini, neRimoni, neEteri, neAshani; maguta mana nemisha yawo ;
misha yose yakapoteredza maguta iwayo kusvikira paBhaarati-bheeri, raiva Rama rezasi. Ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavana vaSimiyoni nemhuri dzavo.
Nhaka yavana vaSimiyoni yakanga yato rwa pamugove wavana vaJudha, nokuti mugove wavana vaJudha wakanga uri mukurusa; naizvozvo vana vaSimiyoni vakapiwa nhaka pakati penhaka yavo. Nhaka yaZebhuruni
Mugove wechitatu wakapiwa vana vaZebhuruni, nemhuri dzavo; muganhu wenhaka yavo wakasvika paSaridhi.
Muganhu wavo wakakwira kumavirazuva, kusvikira paMarara, ndokusvikira paDhabhesheti, ndokusvikira kurukova rwaiva pamberi peJokineamu;
kubva paSaridhi wakadzokera kumabvazuva, kunobuda zuva, kusvikira kumuganhu weKisiroti-tabhori, ndokubudira kuDhabherati, ndokukwira Jafia;
kubva ipapo wakapfuura kumabvazuva uchienda Gatiheferi, kusvikira paEti-kazini, ndokuguma paRimoni, rinosvika paNea;
zvino muganhu ndokudzoka kurutivi rwokumusoro, ndokuenda Hanatoni, ndokuguma pamupata weIfitaeri;
neKatati, neNaharari, neShimuroni, neIdhara, neBheterehemu; maguta ane gumi namaviri nemisha yawo.
Ndiyo yakanga iri nhaka yavana vaZebhuruni, nemhuri dzavo, maguta iwayo nemisha yawo. Nhaka yaIsakari
Mugove wechina wakapiwa Isakari, ivo vana vaIsakari, nemhuri dzavo.
Muganhu wavo wakasvika paJezireeri, neKesuroti, neShunemi,
neHafaraimi, neShioni, neAnaharoti,
neRabhiti, neKishioni, neEbhesi,
neRemeti, neEniganimi, neEni-hadha, neBheti-pazezi;
muganhu ukasvika paTabhori, neShahazuma, neBheti-shemeshi; muganhu ndokugumira paJorodhani; maguta ane gumi namatanhatu nemisha yawo.
Ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavana vaIsakari nemhuri dzavo, maguta nemisha yawo. Nhaka yaAsheri
Mugove wechishanu wakapiwa rudzi rwavana vaAsheri nemhuri dzavo.
Muganhu wavo wakanga uri: Harakati, neHari, neBheteni, neAkishafi,
neMamereki, neAmadhi, neMishari, ndokusvikira paKarimeri kumavirazuva, nokuShihori-ribhinati;
ndokudzokera kumabvazuva kuBheti-dhagoni ndokusvikira kwaZebhuruni, nokumupata weIfitaeri kumusoro, kusvikira paBheti-emeki, neNeyeri, nokubudira paKabhuri kuruboshwe,
neEbhuroni, neRehobhi, neHamoni, neKana, kusvikira paZidhoni guru;
zvino muganhu ndokudzokera kuRama, nokuguta reTire rakakombwa norusvingo; muganhu ndokudzokera Hosa, ndokuguma pagungwa panyika yeAkizibhi;
uye Uma, neAfeki, neRehobhi; maguta makumi maviri namaviri nemisha yawo.
Ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavana vaAsheri, nemhuri dzavo maguta iwaya nemisha yawo. Nhaka yaNafutari
Mugove wechitanhatu wakapiwa vana vaNafutari, ivo vana vaNafutari nemhuri dzavo.
Muganhu wavo wakabva paHerefi, kubva pamuouki weZaananimi, neAdhami-nekebhi, neJabhuneeri, kusvikira paRakumi, ndokuguma paJorodhani;
ipapo muganhu wakadzoka kumabvazuva, ndokuenda Azinoti-tabhori; ndokubvapo, ndokuenda Hukoki; ndokusvika kwaZebhuruni kurutivi rwezasi, ndokusvika kwaAsheri kumavirazuva, ndokusvika kwaJudha paJorodhani kumabvazuva.
Maguta akanga akakombwa namasvingo akanga ari Zidhimu, neZera, neHamati, neRakati, neKinereti,
neAdhama, neRama, neHazori,
neKedheshi, neEdhirei, neEni-harori,
neIroni, neMigadhari-eri, neHoremu, neBheti-anati, neBheti-shemeshi; maguta ane gumi namapfumbamwe, nemisha yawo.
Ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavana vaNafutari nemhuri dzavo, maguta iwaya nemisha yawo. Nhaka yaDhani
Mugove wechinomwe wakapiwa rudzi rwavana vaDhani nemhuri dzavo.
Muganhu wenhaka yavo wakanga uri Zora, neEshitaori, neIri-shemeshi;
neShaarabhini, neAjaroni, neItira,
neEroni, neTimuna, neEkironi,
neEriteke, neGibhetoni, neBhaarati,
neJehudhi, neBheni-bheraki, neGati-rimoni,
neMejarikoni, neRakoni, nenyika yakatarisana neJopa.
Asi nyika yavana vaDhani yakanga iri dukusa; naizvozvo vana vaDhani vakandorwa neReshemi, vakarikunda, vakariparadza neminondo inopinza, vakapiwa guta iro, vakagaramo; vakatumidza Reshemi zita rinonzi Dhani, zita rababa vavo Dhani.
Ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavana vaDhani nemhuri dzavo, namaguta iwaya nemisha yawo. Joshua unopiwa Timunati-sera
Naizvozvo vakapedza kugovera nyika, yakanga iri nhaka yavo nemiganhu yayo; vana vaIsiraeri vakapa Joshua mwanakomana waNuni nhaka yake pakati pavo;
sezvavakanga varairwa naJehovha, vakamupa guta raakakumbira, Timunati-sera, panyika yamakomo yaEfuremu; akavaka guta iro, akagaramo.
Ndidzo nhaka dzakagoverwa nemijenya paShiro pamberi paJehovha, pamukova wetende rokusangana, nomupirisiti Ereazari, naJoshua mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana valsiraeri, kuti dzive nhaka dzavo. Naizvozvo vakapedza kugovera nyika.
20
Zvino Jehovha wakataura naJoshua, akati,
Taura navana vaIsiraeri, uti, Muzvitsaurire maguta outiziro, andakakuudzai nomuromo waMozisi;
kuti munhu wakauraya mumwe nokusaziva kana asina kuita nobwoni, atizirepo; achava kwamuri utiziro pamutsivi weropa.
Anofanira kutizira kune rimwe ramaguta iwayo, agondomira panopindwa napo pasuo reguta, agoreva mhosva yake panzeve dzavakuru veguta iro; ipapo vanofanira kumugamuchira pakati pavo muguta, vamupe pokugara, agogara pakati pavo.
Zvino kana mutsivi weropa achinge amutevera, haafaniri kuisa muurayi paruoko rwake, nokuti wakauraya wokwake asingaiti nobwoni, asina kumuvenga kare.
Zvino iye anofanira kugara muguta iro, kusvikira amira pamberi peungano atongwe, kusvikira pakufa kwomupirisiti mukuru uchavapo namazuva iwayo; ipapo muurayi anofanira kudzoka, aende kuguta rake nokumba kwake, kuguta kwaakanga atiza.
Ipapo vakatsaura Kedheshi muGarirea panyika yamakomo yaNafutari, neShemi, panyika yamakomo yaEfuremu, neKiriati-abha (ndiro Zebhuroni) panyika yamakomo yaJudha.
Nemhiri kwaJorodhani paJeriko kumabvazuva vakatsaura Bhezeri murenje pabani kurudzi rwaRubheni, neRamoti muGiriyadhi kurudzi rwaGadhi, neGorani muBhashani kurudzi rwaManase.
Ndiwo maguta akatsaurirwa vana vaIsiraeri, vose navatorwa vaigara pakati pavo, kuti ani naani unouraya munhu nokusaziva atizireko, arege kufa noruoko rwomutsivi weropa, kusvikira amira pamberi peungano.
21
Zvino vakuru vedzimba dzamadzibaba avaRevhi vakaswedera kumupirisiti Ereazari, nokuna Joshua, mwanakomana waNuni, nokuvakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana vaIsiraeri,
vakataura navo paShiro panyika yeKenani, vakati, Jehovha wakaraira nomuromo waMozisi, kuti tipiwe maguta matingagara, namafuro awo emombe dzedu.
Vana vaIsiraeri vakapa vaRevhi panhaka dzavo maguta awa namafuro awo, sezvavakanga varairwa naJehovha.
Mhuri dzavaKohati dzikagoverwa nemijenya; vana vomupirisiti Aroni vaiva vavaRevhi vakagoverwa nemijenya maguta ane gumi namatatu pakati porudzi rwaJudha, norwaSimiyoni, norwaBhenjamini.
Asi vamwe vavana vaKohati vakagoverwa nemijenya maguta ane gumi pakati pemhuri dzorudzi rwaEfuremu, norudzi rwaDhani, nehafu yorudzi rwaManase.
Vana vaGerishoni vakagoverwa nemijenya maguta ane gumi namatatu pamhuri dzorudzi rwaIsakari, norudzi rwaAsheri, norudzi rwaNafutari, nehafu yorudzi rwaManase muBhashani.
Vana vaMerari nemhuri dzavo vakapiwa maguta ane gumi namaviri pakati porudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi, norudzi rwaZebhuruni.
Vana vaIsiraeri vakapa vaRevhi maguta iwayo namafuro awo nemijenya, sezvakanga zvarairwa naJehovha nomuromo waMozisi.
Vakavapa maguta iwayo, akarehwa mazita awo pano, pakati porudzi rwavana vaJudha, norudzi rwavana vaSimiyoni.
Akava avana vaAroni, vemhuri dzavaKohati, vaiva vana vaRevhi, nokuti ndivo vakatanga kugoverwa nemijenya,
Vakavapa Kiriati-abha, iye Abha wakanga ari baba vaAnaki (ndiro Hebhuroni), panyika yamakomo yaJudha, namafuro aro akanga akaripoteredza.
Asi minda yeguta, nemisha yaro, vakazvipa Karebhu mwanakomana waJefune, zvive zvake.
Vakapa vana vomupirisiti Aroni Hebhuroni namafuro aro, rakanga riri guta routiziro romuurayi, uye Ribhina namafuro aro,
neJatiri namafuro aro, neEshitemoa namafuro aro,
neHoroni namafuro aro, neDhebhiri namafuro aro,
neAini namafuro aro, neJuta namafuro aro, neBheti-shemeshi namafuro aro; maguta mapfumbamwe pakati pamarudzi iwayo maviri.
Napakati porudzi rwaBhenjamini Gibhiyoni namafuro aro, neGebha namafuro aro,
neAnatoti namafuro aro, neArinoni namafuro aro; maguta mana.
Maguta ose avana vaAroni mupirisiti akanga ari maguta ane gumi namatanhatu namafuro awo.
Mhuri dzavana vaKohati, ivo vaRevhi vakanga vasara vavana vaKohati, vakapiwa maguta avo nemijenya pakati porudzi rwaEfuremu.
Vakavapa Shekemu namafuro aro panyika yamakomo yaEfuremu, raiva guta routiziro romuurayi, neGezeri namafuro aro,
neKibhizaimi namafuro aro, neBheti-horoni namafuro aro; maguta mana.
Napakati porudzi rwaDhani, Eriteki namafuro aro, neGebhitoni namafuro aro,
neAjaroni namafuro aro, neGatirimoni namafuro aro; maguta mana.
Napakati pehafu yorudzi rwaManase, Taanaki namafuro aro, neGatirimoni namafuro aro; maguta maviri.
Maguta ose emhuri dzavakanga vasara vavana vaKohati aiva gumi namafuro awo.
Vana vaGerishoni, vemhuri dzavaRevhi, vakavapa Gorani namafuro aro, raiva guta routiziro romuurayi, pakati pehafu yorudzi rwaManase, neBhesheitera namafuro aro; maguta maviri.
Napakati porudzi rwalsakari, Kishioni namafuro aro, neDhabherati namafuro aro,
neJarimuti namafuro aro, neEni-ganimi namafuro aro; maguta mana.
Napakati porudzi rwaAsheri, Mishari namafuro aro, neAbhidhoni namafuro aro,
neHerikati namafuro aro, neRehobhi namafuro aro; maguta mana.
Napakati porudzi rwaNafutari, Kedheshi muGarirea namafuro aro, raiva guta routiziro romuurayi, neHamoti-dhori namafuro aro, neKaritani namafuro aro; maguta matatu.
Maguta ose avaGerishoni, nemhuri dzavo, akanga ari maguta ane gumi namatatu namafuro awo.
Mhuri dzavana vaMerari, ivo vakanga vasara kuvaRevhi, vakavapa pakati porudzi rwaZebhuruni, Jokineamu namafuro aro, neKatira namafuro aro,
neDhimuna namafuro aro, neNaharari namafuro aro; maguta mana.
Napakati porudzi rwaRubheni, Bhezeri namafuro aro, neJahazi namafuro aro,
neKedhemoti namafuro aro, neMofaati namafuro aro; maguta mana.
Napakati porudzi rwaGadhi, Ramoti muGiriyadhi namafuro aro, raiva guta routiziro romuurayi, neMahanaimu namafuro aro,
neHeshibhoni namafuro aro, neJazeri namafuro aro; iwo ose maguta mana.
Maguta awa ose akanga ari avana vaMerari, nemhuri dzavo, ivo vakanga vasara vemhuri dzavaRevhi; mugove wavo wakanga uri maguta ane gumi namaviri.
Maguta ose avaRevhi pakati penhaka yavana vaIsiraeri aiva maguta ana makumi mana namasere namafuro awo.
Maguta awa ose akanga ana mafuro awo, guta rimwe nerimwe; ndizvo zvakanga zvakaita maguta iwayo ose.
Saizvozvo Jehovha akapa vaIsiraeri nyika yose yaakanga apika, kuti uchaipa madzibaba avo; ikava yavo, vakagaramo.
Jehovha akavazorodza kumativi ose, pose paakanga apikira madzibaba avo; hakuna munhu kuvavengi vavo vose wakamira pamberi pavo; asi Jehovha wakaisa vavengi vavo vose pamaoko avo.
Hakuna chinhu chimwe chezvinhu zvakanaka zvakanga zvataurwa naJehovha kuimba yaIsiraeri chakakona; zvose zvakaitika.
22
Zvino Joshua akadana vaRubheni navaGadhi nehafu yorudzi rwaManase,
akati kwavari, Makaita zvose zvamakarairwa naMozisi muranda waJehovha, nokuteererawo inzwi rangu pazvose zvandakakurairai;
hamuna kusiya hama dzenyu mazuva awa mazhinji kusvikira nhasi, asi makaita chirevo chamakarairwa naJehovha Mwari wenyu.
Zvino Jehovha Mwari wenyu wakazorodza hama yenyu, sezvaakataura kwavari; naizvozvo zvino dzokai, muende kumatende enyu, kunyika yenyu yamakapiwa naMozisi muranda waJehovha, mhiri kwaJorodhani.
Asi chenjerai kwazvo kuti muite mirau nemirairo yamakarairwa naMozisi muranda waJehovha, kuti mude Jehovha Mwari wenyu, nokufamba munzira dzake dzose, nokuchengeta mirairo yake, nokumunamatira, nokumushumira nemoyo yenyu yose uye nemweya yenyu yose.
Zvino Joshua akavaropafadza, akavaendesa; vakaenda kumatende avo.
Zvino Mozisi wakanga apa imwe hafu yorudzi rwaManase nhaka yavo muBhashani; asi imwe hafu yorudzi yakapiwa nhaka yayo naJoshua, pamwechete nehama dzavo, mhiri kwaJorodhani kumavirazuva. Zvino Joshua akavaropafadzawo pakuvaendisa kwake kumatende avo.
Akataura navo, akati, Dzokerai kumatende enyu mune fuma zhinji nemombe zhinji kwazvo, nesirivha, nendarama nendarira, namatare, nenguvo zhinji, mugovane nehama dzenyu zvamakapamba kuvavengi venyu.
Zvino vana vaRubheni navana vaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase vakadzoka, vakaparadzana navana vaIsiraeri paShiro munyika yeKenani, vakaenda kunyika yeGiriyadhi, kunyika yavakanga vapiwa kuti ive yavo, sezvakanga zvataurwa nomurayiro waJehovha nomuromo waMozisi.
Zvino vakati vasvika panyika yapaJorodhani, munyika yeKenani, vana vaRubheni navana vaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vakavaka aritari paJorodhani, aritari huru kana ichionekwa.
Zvino vana vaIsiraeri vakanzwa, zvichinzi, Tarirai, vana vaRubheni navana vaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vavaka aritari pakaritarisana neKenani, panyika yapaJorodhani, kurutivi rwavana vaIsiraeri.
Zvino vana vaIsiraeri vakati vachinzwa izvozvo, ungano yose yavana vaIsiraeri vakaungana paShiro, kuti vaende kundorwa navo.
Ipapo vana vaIsiraeri vakatuma Pinehasi, mwanakomana womupirisiti Ereazari, kuvana vaRubheni, nokuvana vaGadhi nokuhafu yorudzi rwaManase, panyika yeGiriyadhi,
iye namachinda ane gumi naye, muchinda mumwe weimba imwe neimwe yamadzibaba pakati pamarudzi avaIsiraeri; mumwe nomumwe wavo wakanga ari mukuru wedzimba dzamadzibaba avo pakati pezviuru zvavaIsiraeri.
Ivo vakasvika kuvana vaRubheni, nokuvana vaGadhi, nokuhafu yorudzi rwaManase, kunyika yeGiriyadhi,vakataura navo, vakati,
Zvanzi neungano yaJehovha, Kudarika uku kwamakadarikira Mwari waIsiraeri nako kwakadiniko, nokuti munotsauka nhasi pakutevera Jehovha, zvamakazvivakira aritari, kuti mumukire Jehovha nhasi?
Ko zvakaipa zvePeori zvigere kutiringana here, izvo zvatichigere kuzvinatsa pazviri kusvikira zuva ranhasi, kunyange hosha yakawira ungano yaJehovha,
zvamoda kutsauka nhasi pakutevera Jehovha? Zvino zvamakamukira Jehovha nhasi, mangwana uchatsamwira ungano yose yaIsiraeri.
Asi kana nyika yenyu isakanaka, yambukirai kunyika yaJehovha, pagere tabhenakeri yaJehovha, kuti mupiwe nhaka pakati pedu; asi regai kumukira Jehovha, kana kutimukira isu, pakuzvivakira imwe atari parutivi rweatari yaJehovha Mwari wedu.
Ko Akani, mwanakomana waZera, haana kudarika pachinhu chakayereswa, kutsamwa kukawira ungano yose yaIsiraeri here? Munhu uyo akasafa ari oga pakutadza kwake.
Ipapo vana vaRubheni, navana vaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase vakapindura, vakati kuvakuru vezviuru vavaIsiraeri,
Mwari, iye Mwari Jehovha, Mwari, iye Mwari Jehovha, iye unoziva, navaIsiraeri vachaziva; kana takamukira Jehovha, kana kumudarikira, (musatiponesa nhasi,)
zvatakazvivakira atari, kuti titsauke tirege kutevera Jehovha; kana takazviita kuti tibayire pamusoro payo zvipiriso zvinopiswa, kana zvipiriso zvoupfu, kana kubayirapo zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, Jehovha amene ngaabvunzisise pamusoro pazvo;
azive kana tisina kuita chinhu ichi nokuchenjera uye nokufunga, tichiti, Zvimwe panguva inouya vana venyu vachataura navana vedu, vachiti, imwi mune mhaka yeiko naJehovha Mwari waIsiraeri?
Nokuti Jehovha wakaita Jorodhani muganhu pakati pedu nemi, imwi vana vaRubheni navana vaGadhi; hamuna mugove kuna Jehovha; naizvozvo vana venyu vangaregesa vana vedu kutya Jehovha.
Saka takati, Ngatizvigadzire, tizvivakire atari, isati iri yezvipiriso zvinopiswa, kana yokubayirapo;
asi chive chapupu pakati pedu nemi, napakati pavana vedu vanotitevera, kuti tichaita basa raJehovha pamberi pake nezvipiriso zvedu zvinopiswa, nezvibayiro zvedu, nezvipiriso zvedu zvokuyananisa, kuti vana venyu varege kuzoti kuvana vedu panguva inouya, Hamuna mugove kuna Jehovha.
Naizvozvo takati, Kana vachizodaro kwatiri kana kuvana vedu panguva inouya, isu tichati, Tarirai muone mufananidzo weatari yaJehovha, yakaitwa namadzibaba edu, isati iri yezvipiriso zvinopiswa, kana yokubayirapo; asi chapupu pakati pedu nemi.
Mwari atibatsire, tirege kumukira Jehovha, nokutsauka nhasi pakutevera Jehovha, tichavaka atari yezvipiriso zvinopiswa neyezvipiriso zvoupfu, kana yokubayirapo, parutivi rweatari yaJehovha, Mwari wedu, iri pamberi petabhenakeri yake.
Zvino Pinehasi mupirisiti, namachinda eungano, ivo vakuru vezviuru zvavaIsiraeri, vakanga vanaye, vakati vanzwa mashoko akataurwa navana vaRubheni, navana vaGadhi, navana vaManase, vakafara nazvo.
Pinehasi, mwanakomana waEreazari mupirisiti, akati kuvana vaRubheni, nokuvana vaGadhi, nokuvana vaManase, Nhasi tinoziva kuti Jehovha ari pakati pedu, nokuti hamuna kudarikira Jehovha pachinhu ichi; makarwira vana valsiraeri zvino paruoko rwaJehovha.
Ipapo Pinehasi, mwanakomana waEreazari mupirisiti, namachinda vakabva kuvana vaRubheni navana vaGadhi, panyika yeGiriyadhi, vakadzokera kunyika yeKenani, kuvana vaIsiraeri, vakavadzosera shoko iro.
Zvino shoko iro rakafadza vana vaIsiraeri, vana vaIsiraeri vakakudza Mwari; havana kuzotaura kuti vachandorwa navo, kuti vaparadze nyika makanga mugere vana vaRubheni navana vaGadhi.
Zvino vana vaRubheni navana vaGadhi vakatumidza atari iyo: Ndicho chapupu pakati pedu, kuti Jehovha ndiye Mwari.
23
Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, Jehovha azorodza vaIsiraeri pavavengi vavo vose vakanga vakavapoteredza, naJoshua akwegura, ava namakore mazhinji,
Joshua akadana vaIsiraeri vose, vakuru vavo navatungamiriri vavo, navatongi vavo, navatariri vavo, akati kwavari, Ndakwegura, ndava namakore mazhinji.
lmi makaona zvose zvakaitirwa ndudzi idzi dzose naJehovha Mwari wenyu nokuda kwenyu; nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye wakakurwirai.
Tarirai, ndakakupai ndudzi idzi dzasara, ive nhaka yamarudzi enyu, kubva paJorodhani, pamwechete nendudzi dzose dzandakaparadza, kusvikira kugungwa guru kumavirazuva.
Jehovha Mwari wenyu amene uchadzibudisa pamberi penyu, nokudzidzinga murege kudziona, kuti mupiwe nyika yadzo, sezvamakaudzwa naJehovha Mwari wenyu.
Naizvozvo simbai kwazvo kuti muchengete nokuita zvose zvakanyorwa mubhuku yomurayiro waMozisi, murege kutsauka kwazviri kana kurudyi kana kuruboshwe;
kuti murege kuvhengana nendudzi idzo dzakasara pakati penyu, kana kureva mazita avamwari vavo, kana kupikisa navo, kana kuvashumira, kana kuvapfugamira;
asi namatirai Jehovha Mwari wenyu, sezvamakaita kusvikira nhasi.
Nokuti Jehovha wakadzinga pamberi penyu ndudzi huru dzaiva nesimba; asi kana murimwi, hakuna munhu wakamira pamberi penyu kusvikira nhasi.
Munhu mumwe kwamuri uchadzinga vanhu vane chiuru chezana, nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye unokurwirai, sezvaakakuudzai.
Naizvozvo chenjerai kuti mude Jehovha Mwari wenyu.
Nokuti kana mukatongodzokera, mukanamatira vakasara vendudzi idzi, idzo dzakasara pakati penyu, mukawanana navo, mukapinda kwavari, naivo vakapinda kwamuri;
muzive zvirokwazvo, kuti Jehovha Mwari wenyu haangadzingi ndudzi idzi pamberi penyu; asi vachava musungo neriva kwamuri, netyava kunhivi dzenyu, neminzwa pameso enyu, kusvikira mapera panyika iyo yakanaka yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu.
Tarirai, nhasi ini ndoenda nenzira yenyika yose; zvino imwi munoziva mumoyo yenyu yose nomumweya yenyu yose, kuti hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakataurwa pamusoro penyu naJehovha Mwari wenyu, chakakona.
Zvino sezvamakaitirwa izvo zvinhu zvose zvakanaka, zvakataurwa pamusoro penyu naJehovha Mwari wenyu, saizvozvo Jehovha uchakuitirai zvose zvakaipa, kusvikira akuparadzai panyika yakanaka, yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu.
Kana mukadarika sungano yaJehovha Mwari wenyu, yaakakurairai, mukandoshumira vamwe vamwari, mukapfugama pamberi pavo, ipapo kutsamwa kwaJehovha kuchakumukirai, mukakurumidza kupera, nokubviswa panyika iyo yakanaka, yamakapiwa naye.
24
Zvino Joshua akaunganidza marudzi ose avaIsiraeri paShekemu, akadana vakuru vaIsiraeri, navatungamiriri vavo, navatongi vavo, navatariri vavo; vakazviisa pamberi paMwari.
Joshua akati kuvanhu vose, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, Madzibaba enyu aigara kare mhiri kwoRwizi, iye Tera, baba vaAbhurahamu, naNahori, achishumira vamwe vamwari.
lni ndikatora baba venyu Abhurahamu mhiri kwoRwizi, ndikamufambisa panyika yose yeKenani, ndikawanza vana vake, ndikamupa Isaka.
Ndikapa Isaka Jakobho naEsau; ndikapa Esau gomo reSeiri, rive rake; Jakobho navana vake vakaburukira Ijipiti.
Ndikatuma Mozisi naAroni, ndikatambudza Ijipiti, nezvandakaita pakati payo; pashure ndikakubudisai.
Ndikabudisa madzibaba enyu paIjipiti, mukasvika pagungwa; vaIjipiti vakatevera madzibaba enyu vane ngoro uye navanhu vakatasva mabhiza kusvikira paGungwa Dzvuku.
Zvino nguva yavakachema kuna Jehovha, akaisa rima pakati penyu navaIjipiti, akauyisa gungwa pamusoro pavo, akavafukidza; meso enyu akaona zvandakaita mukagara murenje mazuva mazhinji.
Ndikakusvitsai kunyika yavaAmori, vakanga vagere mhiri kwaJorodhani; ivo vakarwa nemi ndikavaisa mumaoko enyu, nyika yavo ikava yenyu, ndikavaparadza pamberi penyu.
Zvino Bharaki mwanakomana waZipori, mambo waMoabhu, akasimuka, akarwa naIsiraeri, akatuma nhume kundodana Bharamu, mwanakomana waBheori, kuti amutuke.
Asi ini ndakaramba kunzwa Bharamu, naizvozvo wakaramba achingokuropafadzai; naizvozvo ndakakurwirai paruoko rwake.
Zvino makayambuka Jorodhani, mukasvika paJeriko; varume veJeriko vakarwa nemi, vaiti: VaAmori, navaPerezi, navaKenani, navaHeti, navaGirigashi, navaHivhi, navaJebhusi; ndikavaisa mumaoko enyu.
Ndikatuma pamberi penyu mago, akavadzinga pamberi penyu, iwo madzimambo maviri avaAmori; havana kudzingwa neminondo yenyu kana nouta hwenyu.
Ndikakupai nyika yamusina kurima, namaguta amusina kuvaka, mamugere zvino; munodya minda yemizambiringa neyemiorivhi yamusina kusima.
Naizvozvo ityai Jehovha, zvino, mumushumirei nomoyo wose nezvokwadi, rashai vamwari vaishumirwa namadzibaba enyu mhiri kwoRwizi napaIjipiti, imwi mushumire Jehovha.
Kana muchiti zvakaipa kushumira Jehovha, zvitsaurirei nhasi wamunoda kushumira, kana vamwari vaishumirwa namadzibaba enyu mhiri kwoRwizi, kana vamwari vavaAmori vamugere munyika yavo; asi kana ndirini naveimba yangu tichashumira Jehovha.
Ipapo vanhu vakapindura vakati, Mwari atibatsire, kuti tirege kurasha Jehovha tichishumira vamwe vamwari.
Nokuti Jehovha Mwari wedu, ndiye wakatibudisa panyika yeIjipiti, isu namadzibaba edu, paimba youranda; ndiye wakaita zviratidzo zvikuru tichizviona, akatichengeta panzira yose yatakafamba nayo, napakati pendudzi dzose dzatakapfuura nokwadziri.
Jehovha ndiye wakadzinga ndudzi dzose pamberi pedu, ivo vaAmori vakanga vagere munyika ino; naizvozvo nesuo tichashumira Jehovha, nokuti ndiye Mwari wedu.
Zvino Joshua akati kuvanhu, Hamungagoni kushumira Jehovha, nokuti ndiMwari mutsvene, ndiMwari une godo, haangakukanganwiriyi kudarika kwenyu nezvivi zvenyu.
Kana mukarasha Jehovha, mukashumira vamwari vavatorwa, iye uchakushandukirai nokukuitirai zvakaipa, nokukuparadzai, ambokuitirai zvakanaka.
Ipapo vanhu vakati kuna Joshua, Kwete, asi tichashumira Jehovha.
Joshua akati kuvanhu, Munozvipupurira kuti makatsaura Jehovha kuti mumushumirei. Ivo vakati, Tiri zvapupu hedu.
Naizvozvo zvino rashai vamwari vavatorwa vari pakati penyu murerekere moyo yenyu kuna Jehovha Mwari waIsiraeri.
Vanhu vakati kuna Joshua, Jehovha Mwari wedu ndiye watichashumira, tichateerera inzwi rake.
Naizvozvo Joshua akaita sungano navanhu musi iwoyo, akavasimbisira mutemo nomurayiro.
Joshua akanyora mashoko iwayo mubhuku yomurayiro waMwari, akatora ibwe guru, akarimisa pasi pomuouki, wakanga uri paimba tsvene yaJehovha.
Joshua akati kuvanhu vose, Tarirai, ibwe iri richakupupurirai, nokuti rakanzwa mashoko ose atakataura naJehovha; naizvozvo richakupupurirai, kuti murege kuzoramba Mwari wenyu.
Naizvozvo Joshua akaendisa vanhu, mumwe nomumwe akaenda kunhaka yake.
Zvino shure kwaizvozvo Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha, wakafa, ava namakore ane zana negumi.
Vakamuviga panyika yenhaka yake paTimunati-sera, panyika yamakomo yaEfuremu, nechokumusoro kwegomo reGaashi.
VaIsiraeri vakashumira Jehovha mazuva ose aJoshua, namazuva ose avakuru vakanga vachiri vapenyu Joshua atofa, ivo vakanga vakaziva mabasa ose akanga aitirwa vaIsiraeri naJehovha.
Mapfupa aJosefa, akanga auya navana vaIsiraeri pakubuda kwavo Ijipiti, vakaaviga paShekemu, panzvimbo yenyika yakanga yatengwa naJakobho kuvana vaHamori, baba vaShekemu, nezana remari; ikazova nhaka yavana vaJosefa.
Zvino Ereazari, mwanakomana waAroni, akafa, vakamuviga muchikomo chomwanakomana wake Pinehasi, chaakanga apiwa munyika yamakomo yaEfuremu.
- License
-
CC-0
Link to license
- Citation Suggestion for this Edition
- TextGrid Repository (2025). Christos Christodoulopoulos. Joshua (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C564-9