1
Zvino Jehovha wakadana Mozisi, akataura naye ari mutende rokusangana, akati,
Taura navana vaIsiraeri, uti, kwavari, Kana mumwe wenyu achida kuvigira Jehovha chipo chake, munofanira kumuvigira zvipo zvenyu zvezvipfuwo, kana zvemombe kana zvamakwai.
Kana chipo chake chiri chipiriso chinopiswa chemombe, anofanira kuvigira mukono usina mhosva; ngaachibayire pamukova wetende rokusangana, kuti agamuchirwe pamberi paJehovha.
Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chinopiswa, kuti chigamuchirwe panzvimbo yake, chimuyananisire.
Ngaabaye nzombe pamberi paJehovha, vanakomana vaAroni, vapirisiti, vagouya neropa, vasase ropa kunhivi dzose dzearitari, iri pamukova wetende rokusangana.
Zvino ngaavhiye chipiriso chinopiswa, nokuchigura-gura.
Zvino vanakomana vaAroni, mupirisiti, ngavaise moto paaritari, nokugadzirawo huni pamusoro pomoto.
Ipapo vanakomana vaAroni, vapirisiti, vanofanira kugadzira nhindi, nomusoro, namafuta pamusoro pehuni dziri pamoto uri pamusoro pearitari.
Asi ngaasuke ura hwacho namakumbo acho nemvura, mupirisiti agopisa zvose paaritari, chive chipiriso chinopiswa, chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
Kana chipo chake chiri chipiriso chinopiswa chezvipfuwo zviduku zvamakwai kana mbudzi, anofanira kuvigira mukono usina mhosva.
Ngaachibaye parutivi rwearitari nechokumusoro pamberi paJehovha; zvino vanakomana vaAroni, vapirisiti, vanofanira kusasa ropa racho kunhivi dzose dzearitari.
Ipapo anofanira kugura-gura nhindi pamwechete nomusoro wacho namafuta acho, mupirisiti agozvigadzira pamusoro pehuni dziri pamoto pamusoro pearitari.
Asi ura namakumbo ngaazvisuke nemvura, mupirisiti agozvibayira zvose, nokuzvipisira paaritari, kuti chive chipiriso chinopiswa, chipiriso chakaitwa nomoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
Kana chipo chake kuna Jehovha chiri chipiriso chinopiswa cheshiri, ngaavigire chibayiro chake chenjiva, kana twana twenjiva.
Zvino mupirisiti anofanira kuchiisa paaritari, agodonhedzera ropa racho parutivi rwearitari;
zvino anofanira kutora chihururu chayo neminhenga yayo, ndokuzvirasa kurutivi rwearitari kumabudazuva kunoraswa madota.
Ipapo anofanira kuibvambura namapapiro ayo asingaiparadzanisi, mupirisiti agoipisa paaritari pamusoro pehuni dziri pamoto; icho chipiriso chinopiswa, chipiriso chakaitwa nomoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
2
Kana munhu achiuya kuna Jehovha nechipo choupfu, chipo chake ngachive choupfu hwakatsetseka; zvino ngaadire mafuta pamusoro pacho, agoisawo zvinonhuwira pamusoro pacho.
Ipapo ngaachiise kuvanakomana vaAroni, vapirisiti; iye atsamure tsama yake imwe youpfu hwakatsetseka namafuta nezvinonhuwira zviripo, mupirisiti agozvipisa paaritari, chive chokurangaridza chipo icho, chipiriso chakaitwa nomoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
Zvakasara pachipiriso choupfu zvichava zvaAroni navanakomana vake; icho chinhu chitsvene-tsvene pakati pezvipiriso zvaJehovha zvakaitwa nomoto.
Kana achiuya nechipo choupfu chakabikwa muchoto, ngachive chezvingwa zvisina kuviriswa zvoupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa zvakazodzwa mafuta.
Kana chipo chako chiri chipiriso choupfu chakabikwa mugango, ngachive choupfu hwakatsetseka, husina kuviriswa., hwakakanyiwa namafuta.
Unofanira kuchimedura, nokudira mafuta pamusoro pacho; ndicho chipiriso choupfu.
Kana chipo chako chiri chipiriso choupfu chakabikwa muhari, ngachiitwe noupfu hwakatsetseka namafuta.
Unofanira kuuya kuna Jehovha nechipiriso choupfu chakaitwa nezvinhu izvi; ngachipiwe mupirisiti, iye agochiisa paaritari.
Zvino mupirisiti ngaatsamure pachipiriso choupfu chokurangaridza chacho, achipisire pamusoro pearitari, icho chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
Zvakasara pachipiriso choupfu ngazvive zvaAroni navanakomana vake; icho chinhu chitsvene-tsvene pakati pezvipiriso zvaJehovha zvinoitwa nomoto.
Chipiriso chipi nechipi choupfu chamunouya nacho kuna Jehovha ngachirege kuitwa nembiriso, nokuti hamufaniri kupisira Jehovha chipiriso chinoitwa nomoto chine mbiriso kana uchi.
Mungazvivigira Jehovha zviri zvipiriso zvezvitsva zvenyu, asi ngazvirege kuiswa paaritari kuti zvive zvinonhuwira zvakanaka.
Zvipiriso zvako zvose zvoupfu unofanira kuzvirunga nomunyu; usarega kuisa munyu wesungano yaMwari wako pachipiriso chako choupfu, asi uise munyu pazvipiriso zvako zvose.
Kana uchivigira Jehovha chipiriso choupfu chezvitsva, uuye nehura dzezviyo dzakakangiwa pamoto, zviyo zvakatswiwa zvehura itsva, chive chipiriso choupfu chezvitsva.
Unofanira kuisa mafuta pamusoro pacho, nokuisawo mafuta pamusoro pacho, kuti chive chipiriso choupfu.
Zvino mupirisiti ngaapise chokurangaridza chacho, zvimwe zvezviyo zvacho zvakatswiwa, nezvimwe zvamafuta acho, pamwechete nezvinonhuwira zvacho; chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
3
Kana chipo chake chiri chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa, kana achiuya nemombe, kana iri nzombe kana hadzi, ngaauye nechisina mhosva pamberi paJehovha.
Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chake, achiuraye pamukova wetende rokusangana, vanakomana vaAroni, vapirisiti, vagosasa ropa pamusoro pearitari kunhivi dzose.
Zvino ngaape Jehovha chipiriso chinoitwa nomoto pachibayiro chezvipiriso zvokuyananisa, chokuti mafuta anofukidza ura, namafuta ose ari paura,
netsvo mbiri, namafuta ari pamusoro padzo, ari pachiuno, namafuta ari pamusoro pechiropa, ngaazvibvise pamwechete netsvo.
Ipapo vanakomana vaAroni vanofanira kuzvipisa paaritari pamusoro pechipiriso chinopiswa, chiri pamusoro pehuni dziri pamoto; kuti chive chipiriso chinopiswa chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
Kana chipo chake chechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa chiri chezvipfuwo zviduku, kana uri mukono kana hadzi, ngaauye nechisina mhosva.
Kana achiuya negwayana rechipiriso chake, ngaauye naro pamberi paJehovha,
zvino aise ruoko rwake pamusoro pechipo chake, ndokuchiuraya pamberi petende rokusangana, vanakomana vaAroni vagosasa ropa racho pamusoro pearitari panhivi dzose.
Zvino ngaape Jehovha chipiriso chinoitwa pamoto pachibayiro chezvipiriso zvokuyananisa, chokuti mafuta aro nebhemhe rose, azvibvise pedo nomusana, namafuta anofukidza ura, namafuta ose ari pamusoro peura,
netsvo mbiri, namafuta ari pamusoro padzo, ari pachiuno, namafuta ari pamusoro pechiropa, ngaazvibvise pamwechete netsvo.
Ipapo mupirisiti ngaazvipise pamusoro pearitari; ndizvo zvokudya zvechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
Kana chipo chake chiri chembudzi, ngaauye nayo pamberi paJehovha;
zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wayo, aiuraye pamberi petende rokusongana; vanakomana vaAroni vagosasa ropa rayo pamusoro pearitari kunhivi dzose.
Zvino ngaape zvimwe zvazvo chive chipo chake, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto; zvinoti mafuta anofukidza ura, namafuta ose ari pamusoro peura,
netsvo mbiri, namafuta ari pamusoro padzo, ari pachiuno, namafuta ari pamusoro pechiropa, azvibvise pamwechete netsvo.
Zvino mupirisiti ngaazvipise pamusoro pearitari; ndizvo zvokudya zvechipiriso chinoitwa nomoto, zvive zvinonhuwira zvakanaka; mafuta ose ndeaJehovha.
Ngauve murayiro usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose padzimba dzenyu dzose, kuti murege kudya mafuta neropa.
4
Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
Taura navana vaIsiraeri, uti, Kana munhu akatadza nokusaziva pachinhu chimwe chezvakarairwa naJehovha kuti zvirege kuitwa, akaita chimwe chazvo;
kana mupirisiti wakazodzwa akatadza, akapinza vanhu pamhosva, anofanira kuvigira Jehovha nzombe duku isina mhosva, nokuda kwezvivi zvake zvaakatadza, kuti chive chipiriso chezvivi.
Ngaauye nenzombe duku pamukova wetende rokusangana pamberi paJehovha, aise ruoko rwake pamusoro wenzombe, ndokuuraya nzombe pamberi paJehovha.
Zvino mupirisiti wakazodzwa ngaatore rimwe ropa renzombe, ariise patende rokusangana,
mupirisiti agonyika munwe wake muropa, ndokusasa rimwe ropa kanomwe pamberi paJehovha, pamberi pechidzitiro chenzvimbo tsvene.
Zvino mupirisiti aise rimwe ropa pamberi paJehovha panyanga dzearitari yezvinonhuwira zvakanaka, iri mutende rokusangana, agodurura rimwe ropa rose renzombe mujinga mearitari yezvipiriso zvinopiswa, iri pamukova wetende rokusangana.
Zvino ngaabvise mafuta ose enzombe yechipiriso chezvivi, mafuta anofukidza ura, namafuta ose ari pamusoro peura,
netsvo mbiri, namafuta ari pamusoro padzo, ari pachiwuno, namafuta ari pamusoro pechiropa, ngaazvibvise pamwechete netsvo,
sezvaanobviswa panzombe yechipiriso chokuyananisa nacho; zvino mupirisiti ngaazvipise pamusoro pearitari yezvipiriso zvinopiswa.
Dehwe renzombe, nenyama yayo yose, pamwechete nomusoro wayo namakumbo ayo, neura hwayo, namazvizvi ayo;
nzombe yose iyo unofanira kuitakurira kunze kwemisasa, pakanaka, panorasirwa madota, ndokuipisira pamusoro pehuni nomoto; ngaipisirwe panorasirwa madota.
Kana ungano yose yaIsiraeri ikatadza, chinhu icho chikasazikanwa neungano, kana vakaita chimwe chezvinhu zvakarairwa naJehovha kuti zvirege kuitwa, vakapara mhaka;
kana chivi chavakatadza chikazozikanwa, zvino ungano ngaiuye nenzombe duku, chive chipiriso chezvivi, iwuyiswe pamberi petende rokusangana.
Zvino vakuru veungano ngavaise maoko avo pamusoro wenzombe pamberi paJehovha, nzombe igourawa pamberi paJehovha.
Zvino mupirisiti wakazodzwa ngaauye nerimwe ropa renzombe patende rokusangana,
mupirisiti anyike munwe wake muropa, arisase kanomwe pamberi paJehovha, pamberi pechidzitiro.
Zvino ngaaise rimwe ropa panyanga dzearitari iri pamberi paJehovha, iri mutende rokusangana; rimwe ropa rose agoridururira mujinga mearitari yezvipiriso zvinopiswa, iri pamukova wetende rokusangana.
Zvino ngaabvise mafuta ose aripo, aapise pamusoro pearitari.
Ndizvo zvaanofanira kuitira nzombe; sezvaakaitira nzombe yechipiriso chezvivi, ndizvo zvaanofanira kuitira iyi; mupirisiti anofanira kuvayananisira, vakanganwirwe.
Zvino unofanira kutakurira nzombe kunze kwemisasa, andoipisa, sezvaakapisa nzombe yokutanga; ndicho chipiriso chezvivi cheungano.
Kana mukuru akatadza, akaita nokusaziva chimwe chezvinhu zvose zvakarairwa naJehovha Mwari wake kuti zvirege kuitwa, akapara mhaka;
kana chivi chake chaakatadza akachiziviswa, ngaauye nenhongo yembudzi isina mhosva, chive chipiriso chake.
Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wembudzi, aiuraye panourayirwa chipiriso chinopiswa pamberi paJehovha, chive chipiriso chezvivi.
Zvino mupirisiti ngaatore rimwe ropa rechipiriso chezvivi nomunwe wake, ariise panyanga dzearitari yechipiriso chinopiswa, nerimwe ropa rayo aridururire mujinga mearitari yechipiriso chinopiswa.
Mafuta ayo ose ngaapiswe pamusoro pearitari, sezvavakaita namafuta echipiriso chokuyananisa; mupirisiti amuyananisire pamusoro pezvivi zvake, akanganwirwe.
Kana mumwe wavanhu zvavo akatadza akaita nokusaziva chimwe chezvinhu zvakarairwa naJehovha kuti zvirege kuitwa, akapara mhaka;
kana chivi chake chaakatadza akachiziviswa, ngaauye nesheshe yembudzi isina mhosva, chive chipiriso chake pamusoro pezvivi zvake zvaakatadza.
Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chezvivi, auraye chipiriso chezvivi panourayirwa chipiriso chinopiswa.
Zvino mupirisiti ngaatore rimwe ropa rayo nomunwe wake, ariise panyanga dzearitari yezvipiriso zvinopiswa, asi rimwe ropa rayo rose ngaaridururire mujinga mearitari.
Zvino ngaabvise mafuta ayo ose, sezvinobviswa mafuta ezvipiriso zvokuyananisa nazvo, mupirisiti agoapisa pamusoro pearitari, chive chinhu chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha; mupirisiti anofanira kumuyananisira, akanganwirwe.
Kana akauya negwayana rokuita naro chipiriso chake chezvivi, ngaauye nesheshe isina mhosva.
Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chezvivi, agoriuraya panourayirwa chipiriso chinopiswa.
Zvino mupirisiti ngaatore rimwe ropa rechipiriso chezvivi nomunwe wake, ariise panyanga dzearitari yezvipiriso zvinopiswa, asi rimwe ropa raro rose ngaaridururire mujinga mearitari;
zvino ngaabvise mafuta aro ose, sezvinobviswa mafuta egwayana pachibayiro chezvipiriso zvokuyananisa nazvo; mupirisiti aapise pamusoro pearitari sezvinoitwa nezvipiriso zvose zvaJehovha zvinoitwa nomoto; mupirisiti anofanira kumuyananisira pamusoro pezvivi zvake zvaakatadza, akanganwirwe.
5
Kana munhu akatadza, ari chapupu akapikirwa kupupura chinhu chaakaona, kana chaanoziva, akasadudza, achava nemhosva yake.
Kunyange kana munhu akanga abata chinhu chisakanaka, kana chiri chitunha chemhuka isakanaka, kana chitunha chemombe isakanaka, kana chitunha chezvinokambaira zvisakanaka, zvikasazikanwa naye, akasvibiswa, achava nemhosva.
Kana akanga abata zvisakanaka zvomunhu, kana zviri zvisakanaka zvipi nezvipi akasvibiswa nazvo, zvikasazikanwa naye; kana akazozviziva, achava nemhosva.
Kana munhu akapika nomuromo wake, asingafungi kwazvo, kundoita zvakaipa kana kundoita zvakanaka, chinhu chipi nechipi chaakapika, asingafungi kwazvo, chikasazikanwa naye; kana akazochiziva, achava nemhosva kune chimwe chaizvozvo;
zvino kana akava nemhosva kune chimwe chaizvozvo, anofanira kuzvireurura zvaakatadza.
Zvino ngaauye nechipiriso chake chemhosva pamberi paJehovha pamusoro pezvivi zvake zvaakatadza, ngaive hadzi yezvipfuwo zviduku, kana gwayana kana mbudzana, chive chipiriso chezvivi; mupirisiti ngaamuyananisire pamusoro pezvivi zvake.
Kana asingagoni kuuya negwayana, ngaavigire Jehovha njiva mbiri, kana twana tuviri twenjiva, chive chipiriso chemhosva yake yaakatadza; imwe ive chipiriso chezvivi, imwe chipiriso chinopiswa.
Zvino ngaauye nadzo kumupirisiti, iye atange kubaya imwe yechipiriso chezvivi, agure musoro wayo pamutsipa, asi arege kuiparadzanisa;
zvino ngaasase ropa rechipiriso chezvivi kurutivi rwearitari, asi ropa rakasara risvinirwe mujinga mearitari; chipiriso chezvivi.
Yechipiri ngaaite nayo chipiriso chinopiswa, sezvamakarairwa; mupirisiti amuyananisire pamusoro pezvivi zvaakatadza, akanganwirwe.
Asi kana akasagona kuuya nenjiva mbiri, kana notwana tuviri twenjiva, ngaauye nechipiriso chake pamusoro pokutadza kwake, chive chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso chezvivi; ngaarege kudira mafuta pamusoro pahwo, kana kuisa zvinonhuwira pamusoro pahwo, nokuti chipiriso chezvivi.
Zvino ngaauye nahwo kumupirisiti, mupirisiti atsamure tsama imwe yahwo, chive chokurangaridza chacho; zvino ngaahwuise pamusoro pearitari, sezvinoitwa nezvimwe zvipiriso zvaJehovha zvinoitwa nomoto; chipiriso chezvivi.
mupirisiti anofanira kumuyananisira pamusoro pezvivi zvake zvaakatadza pachinhu chimwe chaizvozvo, akanganwirwe. Zvakasara ngazvive zvomupirisiti, sezvinoitwa nechipiriso choupfu.
Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
Kana munhu akadarika, akatadza nokusaziva pazvinhu zvitsvene zvaJehovha, ngaauye kuna Jehovha nechipiriso chemhosva yake, chegondohwe risina mhosva ramakwai ake, uchimutarira mashekeri esirivha uchienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene; chive chipiriso chemhosva.
Ngaatsive chinhu chaakatadza pachinhu chitsvene, awedzere pachiri chimwe cheshanu chacho, achipe mupirisiti, mupirisiti agomuyananisira negondohwe rechipiriso chemhosva, akanganwirwe.
Kana munhu akatadza, akaita chinhu chimwe chezvinhu zvakanga zvarairwa naJehovha kuti zvirege kuitwa; kunyange asina kuziva, une mhosva, mhaka unayo.
Ngaauye kumupirisiti negondohwe ramakwai ake risina mhosva, sezvaunofunga iwe, chive chipiriso chemhosva, mupirisiti agomuyananisira pamusoro pechinhu chaakanga atadza nokusaziva, asingazivi, akanganwirwe.
Chipiriso chemhosva; zvirokwazvo une mhosva pamberi paJehovha.
6
Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
Kana munhu akatadza, akadarika murayiro waJehovha, akanyengera wokwake pachinhu chaakanga apiwa kuchengeta, kana chakanga chaiswa paruoko rwake, kana pakumubira, kana pakumanikidza wokwake;
kana akanonga chakanga charashika, akanyengera pachiri, akapika nhema; pachinhu chipi nechipi chazvose izvo, kana munhu achinge aita akatadza pachiri;
zvino kana akatadza, ane mhosva, anofanira kudzosa chaakanga atora nokuba, kana chaakanga awana nokumanikidza, kana chaakanga apiwa kuchengeta, kana chakanga charashika akachinonga;
kana chinhu chipi nechipi chaakanga apika nhema pamusoro pacho; ngaachidzose chose, awedzere kwachiri cheshanu chacho, achipe muridzi wacho nomusi waanowanikwa kuti ane mhosva.
Anofanira kuuya kumupirisiti nechipiriso chemhosva yake kuna Jehovha, chegondohwe ramakwai ake risina mhosva, sezvaunotara iwe, chive chipiriso chemhosva;
zvino mupirisiti amuyananisire pamberi paJehovha, akanganwirwe pamusoro pemhosva ipi neipi yaakaita. Mirairo yezvipiriso
Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
Raira Aroni navanakomana vake, uti, Murayiro wechipiriso chinopiswa ndiwo: Chipiriso chinopiswa chinofanira kuvata pachoto pamusoro pearitari usiku hwose kusvikira mangwanani, moto urambe uchipfuta pamusoro pacho.
Zvino mupirisiti ngaafuke nguvo yake yomucheka, nokufukawo bhurukwa rake romucheka pamuviri wake, abvise madota echipiriso chinopiswa, chapiswa nomoto paaritari, aaise parutivi rwearitari.
Zvino ngaabvise nguvo dzake, afuke dzimwe nguvo, agotakurira madota kunze kwemisasa panzvimbo yakanaka.
Moto paaritari unofanira kuramba uchipfuta pamusoro payo, haufaniri kudzima; mupirisiti anofanira kubatidza huni pamusoro payo mangwanani ose. zvino ngaagadzire chipiriso chinopiswa pamusoro payo, apise mafuta ezvipiriso zvokuyananisa pamusoro payo.
Moto ngaurambe uchipfuta pamusoro pearitari nguva dzose, urege kudzima.
Murayiro wechipiriso choupfu ndiwo: Vanakomana vaAroni vanofanira kuuya nacho pamberi paJehovha paaritari.
Zvino ngaatsamure tsama imwe yake youpfu, namamwe mafuta acho, nezvinonhuwira zvose zviri pamusoro pechipiriso choupfu, azvipise pamusoro pearitari, chive chinonhuwira zvakanaka, chokurangaridza chacho, kuna Jehovha.
Zvakasara zvacho ngazvidyiwe naAroni navanakomana vake; zvidyiwe zvisina mbiriso panzvimbo tsvene; ngavazvidye paruvanze rwetende rokusangana.
Ngazvirege kubikwa nembiriso; ndakavapa icho, uve mugove wavo wezvipiriso zvangu zvinoitwa nomoto; chinhu chitsvene kwazvo, sechipiriso chezvivi, nechipiriso chemhosva.
Varume vose kuvana vaAroni ngavazvidye, uve murayiro usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose pazvipiriso zvose zvaJehovha zvinoitwa nomoto; munhu upi noupi unozvibata, uchava mutsvene.
Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
Ndicho chipo chaAroni nechavanakomana vake chavanofanira kupa Jehovha nomusi waanozodzwa nawo: Chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu nguva dzose, hafu yacho mangwanani, hafu yacho madekwana.
Ngachibikwe namafuta mugango; kana chaibva, uuye nacho; unofanira kuuya nechipiriso choupfu zvimedu-zvimedu zvakakangwa, chive chinhu chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
mupirisiti unozodzwa panzvimbo yake pakati pavanakomana vake, ndiye anofanira kuuya nacho; uve mutemo usingaperi kuti chipisirwe Jehovha chose.
Chipiriso chimwe nechimwe choupfu chomupirisiti chinofanira kupiswa chose; hachifaniri kudyiwa.
Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
Taura naAroni navanakomana vake uti, Murayiro wechipiriso chezvivi ndiwo: Panourayirwa chipiriso chinopiswa ndipo panofanira kuurayirwawo chipiriso chezvivi pamberi paJehovha, chitsvene kwazvo.
mupirisiti unochibayira pamusoro pezvivi, ndiye anofanira kuchidya chinofanira kudyiwa panzvimbo tsvene, paruvanze rwetende rokusangana.
Chinhu chipi nechipi chinogunzva nyama yacho chichava chitsvene; kana rimwe ropa racho rikadonhera panguvo ipi neipi, unofanira kusuka icho chakadonherwa naro panzvimbo tsvene.
Asi hari yevhu mayakabikirwa, inofanira kuputswa; kana yakabikwa muhari yendarira inofanira kukwizwa nokusukurudzwa nemvura.
Zvino varume vose kuvapirisiti vanofanira kuchidya; chitsvene kwazvo.
Zvipiriso zvose zvezvivi, kana rimwe ropa razvo rakaiswa mutende rokusangana kuzoyananisira panzvimbo tsvene, ngazvirege kudyiwa; zvinofanira kupiswa nomoto.
7
Murayiro wechipiriso chemhosva ndiwo: Chitsvene kwazvo.
Pavanourayirwa chipiriso chinopiswa, ndipo pavanofanira kuurayirwa chipiriso chemhosva; ropa racho unofanira kurisasa pamusoro pearitari kunhivi dzose.
Zvino ngaapisire mafuta acho ose, mafuta ebemhe, namafuta anofukidza ura,
netsvo mbiri, namafuta ari pamusoro padzo, ari pachiuno, namafuta ari pamusoro pechiropa, ngaazvibvise pamwechete netsvo.
Zvino mupirisiti ngaazvipise paaritari, chive chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto; chipiriso chemhosva.
Varume vose kuvapirisiti ngavachidye; chidyiwe panzvimbo tsvene; chitsvene kwazvo.
Sezvinoitwa nechipiriso chezvivi, ndizvo zvinoitwawo nechipiriso chemhosva; murayiro wazvo ndomumwe; chichava chomupirisiti unoyananisira nacho.
Uye mupirisiti, unopisira chipiriso chinopiswa chomunhu, uyo mupirisiti anofanira kupiwa dehwe rechipiriso chinopiswa chaakauya nacho.
Chipiriso chimwe nechimwe choupfu, chakabikwa muchoto, nezvose zvakagadzirwa mugango kana muhari, zvichava zvomupirisiti unouya nazvo.
Chipiriso chimwe nechimwe choupfu, chakakanyiwa namafuta, kana chakaoma, chinofanira kupiwa vanakomana vaAroni, mumwe nomumwe, vachienzaniswa.
Ndiwo murayiro wezvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, zvinofanira kupiwa Jehovha:
Kana munhu akazvipa, kuti avonge nazvo, pamwechete nechibayiro chokuvonga nacho, anofanira kupa zvingwa zviduku zvisina kuviriswa zvakakanyiwa namafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa zvakazodzwa mafuta, nezvingwa zvakakanyiwa namafuta zvoupfu hwakatsetseka zvakakangwa.
Anofanira kupawo chipo chake chezvingwa zvakaviriswa pamwechete nechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa zvokuvonga nazvo.
Zvino pachipiriso chimwe nechimwe chive chipiriso chinosimudzirwa Jehovha; chichava chomupirisiti unosasa ropa rezvipiriso zvokuyananisa.
Nyama yechibayiro chezvipiriso zvake zvokuyananisa zvokuvonga nazvo inofanira kudyiwa nomusi waanopa chipo chake; haafaniri kusiya chimwe chacho kusvikira mangwanani.
Asi kana chibayiro chechipo chake chiri chinhu chaakapika, kana chipo chokuda kwake, chinofanira kudyiwa nomusi waanobayira chibayiro chake; zvakasara pazviri zvinofanira kudyiwa mangwanani;
asi zvakasara zvenyama yechibayiro zvinofanira kupiswa nomoto nezuva retatu.
Kana imwe nyama yechibayiro chezvipiriso zvake zvokuyananisa ikadyiwa nezuva retatu, hazvingagamuchirwi nomufaro kana kunzi zvakanaka kuna iye wakazvipa; chichava chinhu chinonyangadza, nomunhu unozvidya uchava nemhosva.
Nyama yakabatana nechinhu chisakanaka, haifaniri kudyiwa, inofanira kupiswa nomoto. Asi imwe nyama mumwe nomumwe wakanatswa ungaidya.
Asi munhu unodya nyama yechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa, zviri zvaJehovha, achiri netsvina yake, munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
Kana ani naani akabata chinhu chisakanaka, kana zviri zvisakanaka zvomunhu kana zvemhuka isakanaka, kana chimwe chinhu chisakanaka chinonyangadza, akadya nyama yechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa zviri zvaJehovha, munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
Taura navana vaIsiraeri, uti, Musadya mafuta, kana emombe, kana egwai, kana embudzi.
Mafuta echinhu chakangofa choga, namafuta echinhu chakaurawa nezvikara, angabatwa nawo pamabasa ose, asi hamufaniri kutongoadya.
Nokuti ani naani unodya mafuta ezvipfuwo zvavanoitira Jehovha chipiriso chinoitwa nomoto, munhu unoadya anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
Regai kudya ropa ripi neripi, kana riri reshiri, kana rezvipfuwo, padzimba dzenyu dzose.
Ani naani unodya ropa ripi neripi, munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
Taura navana vaIsiraeri uti, Munhu unobayira Jehovha chibayiro chake chezvipiriso zvokuyananisa, anofanira kuuya nechipo chake kuna Jehovha chinobva pachibayiro chezvipiriso zvake zvokuyananisa;
maoko ake amene anofanira kuuya nezvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto; ngaauye namafuta pamwechete nechityu, kuti chityu chizunguzirwe, chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha.
Zvino mupirisiti ngaapise mafuta paaritari, asi chityu ndechaAroni navanakomana vake.
Munofanira kupa mupirisiti bandauko rorudyi, chive chipiriso chinosimudzwa pazvibayiro zvezvipiriso zvenyu zvokuyananisa.
Uyo pakati pavanakomana vaAroni unopisira ropa rezvipiriso zvokuyananisa namafuta, ndiye uchapiwa bandauko rorudyi uve mugove wake.
Nokuti chityu chinozunguzirwa nebandauko rinosimudzwa, ndizvo zvandakatora kuvana vaIsiraeri pakati pezvibayiro zvezvipiriso zvavo zvokuyananisa, ndikazvipa Aroni mupirisiti, navanakomana vake, chive chavo nokusingaperi, chinobva kuvana vaIsiraeri.
Ndiwo mugove waAroni, nomugove wavanakomana vake pazvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto, nomusi waakavagadza nawo kuti vabatire Jehovha pabasa roupirisiti;
wakarairwa naJehovha kuti vapiwe navana vaIsiraeri nomusi wokuzodzwa kwavo. Ndiwo mugove wavo nokusingaperi kusvikira kumarudzi avo ose.
Ndiwo murayiro wechipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu, nechipiriso chezvivi, nechipiriso chemhosva, nowokugadza, nowezvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa;
wakarairwa Mozisi naJehovha pagomo reSinai, nomusi waakaraira vana vaIsiraeri, kuti vape Jehovha zvipo zvavo murenje reSinai.
8
Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
Tora Aroni, navanakomana vake, namafuta okuzodza nawo, nenzombe yechipiriso chezvivi, namakondohwe maviri nedengu rezvingwa zvisina kuviriswa;
uunganidze ungano yose pamukova wetende rokusangana.
Mozisi akaita sezvaakarairwa naJehovha, ungano ikaunganidzwa pamukova wetende rokusangana.
Zvino Mozisi akati kuungano, Ndizvo zvakarairwa naJehovha kuti zviitwe.
Mozisi akauya naAroni navanakomana vake, akavashambidza nemvura,
akamufukidza jasi, ndokumusunga chiuno nebhanhire, akamufukidza nguvo, akamuisa efodhi, nokumusunga chiuno nebhande reefodhi rakarukwa nouchenjeri, ndokurisungira kwaari naro.
Akamuisa hombodo yechipfuva, ndokuisa Urimi neTumimi muhombodo yechipfuva.
Akaisawo ngowani pamusoro wake; pangowani nechemberi akaisa hwendefa rendarama, ndiyo korona tsvene; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
Zvino Mozisi akatora mafuta okuzodza nawo, akazodza tabhenakeri, nezvose zvakanga zvirimo, akazvitsaura.
Akasasa mamwe kanomwe paaritari, nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira, nechigadziko chawo, kuti azvitsaure.
Akadirawo mamwe mafuta okuzodza nawo pamusoro waAroni, akamuzodza kuti amutsaure.
Ipapo Mozisi akauya navanakomana vaAroni, akavafukidza majasi, akavasunga zviuno namabhanhire, akavaisa ngowani, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
Akauya nenzombe yechipiriso chezvivi, Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wenzombe yechipiriso chezvivi;
akaibaya; Mozisi ndokutora ropa, ndokuriisa panyanga dzearitari kunhivi dzose nomunwe wake, akanatsa aritari, ndokudururira ropa mujinga mearitari, akaitsaura, kuti aiyananisire.
Akatora mafuta ose akanga ari pamusoro poura, namafuta akanga ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta adzo, Mozisi akazvipisa paaritari.
Asi nzombe nedehwe rayo, nenyama yayo, namazvizvi ayo, wakazvipisa nomoto kunze kwemisasa, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
Akauya negondohwe rechipiriso chinopiswa; Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wegondohwe.
Akariuraya; Mozisi akasasa ropa pamusoro pearitari kunhivi dzose.
Akagura-gura gondohwe, Mozisi akapisa musoro nenhindi namafuta.
Akasuka ura namakumbo nemvura, Mozisi akapisa gondohwe rose paaritari, chikava chipiriso chinopiswa chainhuwira zvakanaka; chikava chipiriso chakaitirwa Jehovha nomoto; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
Zvino akauyawo nerimwe gondohwe, gondohwe rokugadza naro, Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wegondohwe.
Akaribaya, Mozisi akatora rimwe ropa raro, akariisa pamucheto wezasi wenzeve yaAroni yorudyi, napagunwe roruoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi.
Akauyisa vanakomana vaAroni, Mozisi akaisa rimwe ropa pamicheto yezasi yenzeve dzavo dzorudyi, napamagunwe amaoko avo orudyi, napamagunwe etsoka dzavo dzorudyi; Mozisi akasasa ropa pamusoro pearitari kunhivi dzose.
Akatora mafuta nebemhe, namafuta ose akanga ari pamusoro poura, namafuta akanga ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta adzo, nebandauko rorudyi;
akatora mudengu rezvingwa zvisina kuviriswa, zvaiva pamberi paJehovha, chingwa chimwe chiduku chisina kuviriswa, nechingwa chimwe chiduku chezvingwa zvakazodzwa mafuta, nechingwa chitete chimwe, akazviisa pamusoro pamafuta, napamusoro pebandauko rorudyi;
akaisa zvose pamaoko aAroni, napamaoko avanakomana vake, akazvizunguzira pamberi paJehovha, kuti chive chipiriso chinozunguzirwa.
Ipapo Mozisi akazvitora zvose pamaoko ake, akazvipisa paaritari pamusoro pechipiriso chinopiswa; zvikava zvokugadza nazvo, zvikanhuwira zvakanaka; chikava chipiriso chakaitirwa Jehovha nomoto.
Zvino Mozisi akatora chityu akachizunguzira pamberi paJehovha, kuti chive chipiriso chinozunguzirwa; ndiwo waiva mugove waMozisi pagondohwe rokugadza naro; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
Ipapo Mozisi akatora mamwe mafuta okuzodza nawo, nerimwe ropa rakanga riri paaritari, akarisasa pamusoro paAroni napamusoro penguvo dzake, napamusoro pavanakomana vake, napamusoro penguwo dzavanakomana vake pamwechete naye; akatsaura Aroni nenguvo dzake, navanakomana vake, nenguvo dzavanakomana vake pamwechete naye.
Mozisi akati kuna Aroni navanakomana vake, Bikai nyama pamukova wetende rokusangana, muidyirepo nechingwa chiri mudengu rokugadza naro, sezvandakaraira ndichiti, Aroni navanakomana vake vanofanira kuzvidya.
Asi zvakasara zvenyama nechingwa munofanira kuzvipisa nomoto.
Musabuda pamukova wetende rokusangana mazuva manomwe, kusvikira mazuva okugadza kwenyu apera; nokuti iye uchakugadzai mazuva manomwe.
Sezvakaitwa zuva ranhasi, Jehovha wakaraira kuti zviitwe saizvozvo, kuti muyananisirwe.
Garai pamukova wetende rokusangana masikati nousiku mazuva manomwe, muchengete zvamakarairwa naJehovha, kuti urege kufa; nokuti ndizvo zvandakarairwa.
Zvino Aroni navanakomana vake vakaita zvose zvakanga zvarairwa naJehovha nomuromo waMozisi.
9
Zvino nomusi werusere Mozisi wakadana Aroni navanakomana vake, navakuru vaIsiraeri,
akati kuna Aroni, Tora mukomo wemhuru chive chipiriso chezvivi, negondohwe chive chipiriso chinopiswa, zvisina mhosva, uuye nazvo pamberi paJehovha.
Utaure navana vaIsiraeri, uti, Torai nhongo yembudzi chive chipiriso chezvivi, nemhuru, negwayana, zvose zvegore rimwe, zvisina mhosva, chive chipiriso chinopiswa,
nenzombe, negondohwe zvive zvipiriso zvokuyananisa, muzvibayire pamberi paJehovha; nechipiriso choupfu hwakakanyiwa namafuta, nokuti nhasi Jehovha unozviratidza kwamuri.
Zvino ivo vakauya nezvakanga zvarairwa naMozisi pamberi pomukova wetende rokusangana, ungano yose ikaswedera, vakamira pamberi paJehovha.
Ipapo Mozisi akati, Ndicho chinhu chakarairwa naJehovha kuti muchiite, kuti kubwinya kwaJehovha kuzviratidze kwamuri.
Mozisi akati kuna Aroni, Swedera kuaritari ubayire chipiriso chako chezvivi, nechipiriso chako chinopiswa, uzviyananisire iwe navanhu; uuyewo nechipo chavanhu, kuti uvayananisire, sezvakarairwa naJehovha.
Ipapo Aroni wakaswedera kuaritari, akabaya mhuru yechipiriso chezvivi, chakanga chiri chake.
Vanakomana vaAroni vakauya neropa, akariisa panyanga dzearitari, akadurura ropa mujinga mearitari;
asi mafuta, netsvo, namafuta akanga ari pamusoro pechiropa chechipiriso chezvivi, wakazvipisa pamusoro pearitari, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
Nyama nedehwe akazvipisa nomoto kunze kwemisasa.
Akabaya chipiriso chinopiswa; vanakomana vaAroni vakamugamuchidza ropa, iye akarisasa pamusoro pearitari kunhivi dzose.
Ipapo vakamugamuchidzawo chipiriso chinopiswa, nhindi imwe neimwe, nomusoro, akazvipisa pamusoro pechipiriso chinopiswa pamusoro pearitari.
Akasuka ura namakumbo, akazvipisa pamusoro pearitari.
Ipapo akauya nechipo chavanhu, akatora mbudzi yechipiriso chezvivi, chaiva chavanhu, akaibaya, akaibayira zvivi, seyokutanga.
Ipapo akauya nechipiriso chinopiswa, akachibayira sezvakanga zvarairwa.
Akauyawo nechipiriso choupfu, akatsamurapo tsama yake, ndokuchipisira pamusoro pearitari, achiwedzera pachipiriso chinopiswa chamangwanani.
Akabayawo nzombe negondohwe, kuti chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisira vanhu; vanakomana vaAroni vakamugamuchidza ropa, akarisasa pamusoro pearitari kunhivi dzose;
namafuta enzombe, neegondohwe, nebemhe, namafuta anofukidza ura, netsvo, namafuta anofukidza chiropa;
akaisa mafuta pamusoro pechityu, akapisa mafuta pamusoro pearitari;
Aroni akazunguzira zvityu nebandauko rorudyi, kuti chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha, sezvakanga zvarairwa naMozisi.
Zvino Aroni wakasimudzira maoko ake kuvanhu, akavaropafadza; akaburuka, apedza kubayira chipiriso chezvivi, nechipiriso chinopiswa, nezvibayiro zvokuyananisa nazvo.
Mozisi naAroni vakapinda mutende rokusangana, vakabudazve, vakaropafadza vanhu; kubwinya kwaJehovha kukaonekwa navanhu vose.
Ipapo moto wakabuda pamberi paJehovha, ukapisa chipiriso chinopiswa namafuta pamusoro pearitari; vanhu vose vakati vachizviona vakadanidzira, vakawira pasi nezviso zvavo.
10
Zvino Nadhabi naAbhihu, vanakomana vaAroni, vakatora mumwe nomumwe harana yake yezvinonhuwira, vakaisamo moto, ndokuisa zvinonhuwira pamusoro pawo, vakauya pamberi paJehovha nomoto usina kutenderwa waasina kuraira.
Ipapo moto wakabuda pamberi paJehovha, ukavauraya, vakafa pamberi paJehovha.
Zvino Mozisi akati kuna Aroni, Jehovha wakataura chinhu ichi, akati, Ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene muna vose vanoswedera kwandiri, ndichazvirumbidza pamberi pavanhu vose. Aroni akanyarara.
Ipapo Mozisi akadana Mishaeri naErizafani, vanakomana vaUzieri, babamunini vaAroni, akati kwavari, Swederai, mubvise hama dzenyu pamberi penzvimbo tsvene, muvatakurire kunze kwemisasa.
Ipapo vakaswedera, vakavatakurira kunze kwemisasa vanamajasi avo, sezvakanga zvataurwa naMozisi.
Zvino Mozisi akati kuna Aroni nokuna Ereazari nokuna Itamari, vanakomana vake, Musasunungura vudzi remisoro yenyu, kana kubvarura nguvo dzenyu, kuti murege kufa, naiye arege kutsamwira ungano yose; asi hama dzenyu, veimba yose yaIsiraeri, ivo ngavacheme kupisa kwakatungidzwa naJehovha.
Musabuda pamukova wetende rokusangana, kuti murege kufa, nokuti mafuta okuzodza aJehovha ari pamusoro penyu. Vakaita sezvavakaudzwa naMozisi. Kudya nokunwa kwavapirisiti
Zvino Jehovha wakataura naAroni akati,
Usanwa waini kana chinhu chinobata, iwe navanakomana vako pamwechete newe, kana muchipinda mutende rokusangana, kuti murege kufa; uve murayiro usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose.
Munofanira kutsaura pakati pezvitsvene nezvisati zviri zvitsvene, pakati pezvisina kunaka nezvakanaka;
munofanira kudzidzisa vana vaIsiraeri mirairo yose yakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi.
Zvino Mozisi wakataura naAroni naEreazari naItamari, vanakomana vake vakanga vasara, akati, Torai chipiriso choupfu chakasara pazvipiriso zvakapisirwa Jehovha nomoto, muzvidyire kurutivi rwearitari zvisina mbiriso, nokuti zvitsvene kwazvo;
munofanira kuzvidyira panzvimbo tsvene, nokuti ndiwo mugove wako nomugove wavanakomana vako pazvipiriso zvaJehovha zvinoitwa nomoto, nokuti ndizvo zvandakarairwa.
Munofanira kudyira panzvimbo tsvene chityu chinozunguzirwa nebandauko rinosimudzwa, iwe navanakomana vako navanasikana vako pamwechete newe, nokuti makazvipiwa, kuti uve mugove wako, nomugove wavanakomana vako pazvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa zvavana vaIsiraeri.
Vanofanira kuuya nebandauko rinosimudzwa; nechityu chinozunguzirwa, pamwechete nezvipiriso zvamafuta zvinopiswa nomoto, kuti vazvizunguzire, chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha; chinofanira kuva chako nechavanakomana vako, pamwechete newe; unofanira kuva murayiro usingaperi, sezvakarairwa naJehovha.
Zvino Mozisi wakanyatsotsvaka mbudzi yechipiriso chezvivi, akawana kuti yapiswa, akatsamwira Ereazari naItamari, vanakomana vaAroni vakanga vasara, akati,
Makaregerei kudyira chipiriso chezvivi panzvimbo tsvene, zvachiri chitsvene kwazvo, uye nokuti wakakupai icho, kuti mubvise kutadza kweungano, muvayananisire pamberi paJehovha?
Tarirai, ropa rayo harina kuuyiswa mukati menzvimbo tsvene, sezvandakaraira.
Ipapo Aroni akati kuna Mozisi, Tarira, vakapisa nhasi chipiriso chavo chezvivi, nechipiriso chavo chinopiswa pamberi paJehovha, ini ndikawirwa nezvinhu izvi zvakadai; zvino dai ndakadya chipiriso chezvivi nhasi, zvingadai zvaifadza Jehovha here?
Mozisi wakati achinzwa izvozvo, akatenda nazvo.
11
Zvino Jehovha wakataura naMozisi naAroni, akati kwavari,
Taura navana valsiraeri, muti, Ndizvo zvipenyu zvamungadya pakati pemhuka dzose dziri panyika:
Zvose pakati pemhuka zvinamahwanda akaparadzana, kana zvinetsoka dzakaparadzana, zvinodzeya, mungazvidya.
Asi pakati pezvinodzeya, kana pakati pezvinamahwanda akaparadzana, regai kudya kamera, nokuti inodzeya, asi haina mahwanda akaparadzana; inofanira kuva chinhu chisina kunaka kwamuri;
nembira, nokuti inodzeya, asi haina mahwanda akaparadzana; inofanira kuva chinhu chisina kunaka kwamuri.
Netsuro, nokuti inodzeya, asi haina mahwanda akaparadzana; inofanira kuva chinhu chisina kunaka kwamuri.
Nenguruve, nokuti ine tsoka dzakaparadzana, asi haidzeyi; inofanira kuva chinhu chisina kunaka kwamuri.
Regai kudya nyama yazvo, kana zvitunha zvazvo; zvinofanira kuva zvisina kunaka kwamuri.
Ndizvo zvamungadya kune zvose zviri mumvura: Zvose zviri mumvura, mumakungwa nomunzizi, zvine zvimbi namakwande, ndizvo zvamungadya.
Asi zvose zvisina zvimbi namakwande zviri mumakungwa nomunzizi, pazvose zvinopfakanyika mumvura, pazvose zvipenyu zviri mumvura, zvinofanira kuva zvinonyangadza kwamuri.
Ngazvive zvinonyangadza kwamuri; musadya nyama yazvo, nezvitunha zvazvo zvinofanira kuva chinhu chinonyangadza kwamuri.
Zvose zviri mumvura zvisina zvimbi namakwande zvinofanira kuva zvinonyangadza kwamuri.
Izvi pakati peshiri zvinofanira kuva zvinonyangadza kwamuri, ngazvirege kudyiwa, ngazvive zvinonyangadza: Gora guru, negondo guru, nenyamudzura;
noruvangu, nenjerere, namarudzi adzo;
namarudzi ose amakunguvo;
nemhou, nezizi, neshiri yegungwa, namarudzi ose oruvangu;
nezizi duku, nekanyurura-hove, nezizi guru;
nejichidza, nekondo, negora;
nezimudo, namarudzi ose ekondo, nemhupupu, nechiremwaremwa.
Zvose zvinamapapiro zvichikambaira, zvichifamba namakumbo mana, zvinofanira kuva zvinhu zvinonyangadza kwamuri.
Asi izvi mungadya pakati pezvose zvinamapapiro zvichikambaira, zvichifamba namakumbo mana, zvinamakumbo pamusoro petsoka dzazvo azvinokwakuka nawo panyika.
Ndizvo zvamungadya pakati pazvo: Marudzi ose emhashu, namarudzi ose echinjiki, namarudzi ebambamukota, namarudzi egwatakwata.
Asi zvose zvinamapapiro zvinokambaira zvinamakumbo mana, zvinofanira kuva zvinonyangadza kwamuri.
Muchasvibiswa nezvizvi: Ani naani unobata zvitunha zvazvo uchava usina kunaka kusvikira madeko.
Ani naani wakatakura chitunha chazvo, anofanira kusuka nguvo dzake, ave usina kunaka kusvikira madeko.
Mhuka dzose dzinamahwanda akaparadzana, asi dzisina tsoka dzakaparadzana, dzisingadzeyi, zvinofanira kuva zvisakanaka kwamuri; mumwe nomumwe unozvibata uchava usina kunaka.
Zvose zvinofamba netsoka dzakapfava pakati pemhuka dzose dzinofamba namakumbo mana, zvinofanira kuva zvisakanaka kwamuri; ani naani unobata zvitunha zvazvo uchava usina kunaka kusvikira madeko.
Munhu unotakura zvitunha zvazvo ngaasuke nguvo dzake, ave usina kunaka kusvikira madeko; zvinofanira kuva zvisakanaka kwamuri.
Zvisakanaka kwamuri pakati pezvinokambaira, zvinokambaira panyika ndizvo: Chidembo, negonzo, namarudzi egwavava,
nechipfira, nedzvinyu, negoroodyo, nedhambakura, norwaivhi.
Izvozvo zvinofanira kuva zvisakanaka kwamuri pakati pezvose zvinokambaira; ani naani unozvibata kana zvakafa uchava usina kunaka kusvikira madeko.
Chinhu chipi nechipi chinowirwa nechimwe chazvo kana chakafa, chichava chisina kunaka; kana iri nhumbi yamatanda, kana nguvo, kana dehwe, kana hombodo, kana iri nhumbi ipi neipi inobatwa basa nayo, inofanira kunyikwa mumvura, ive isina kunaka kusvikira madeko; ipapo ichava yakanaka.
Hari imwe neimwe yevhu yawirwa mukati mayo nechimwe chazvo, zvose zviri mukati mayo zvinofanira kuva zvisina kunaka, naiyo munofanira kuiputsa.
Zvokudya zvose zvirimo zvingadyiwa, kana zvadirwa mvura, zvinofanira kuva zvisina kunaka; nezvinonwiwa zvose zviri muhari iyo zvinofanira kuva zvisina kunaka.
Zvose zvinowirwa nechitunha chazvo, zvichava zvisina kunaka, kana choto, kana chikuva chehari, zvinofanira kuputswa chose; hazvina kunaka, ngazvive zvisina kunaka kwamuri.
Asi tsime kana dziva makachengetwa mvura, zvichava zvakanaka; asi chinogunzva chitunha chazvo chichava chisina kunaka, kwamuri.
Kana chitunha chechimwe chazvo chikawira pamusoro pembeu yakanga yakushwa, ichava yakanaka.
Asi kana mbeu ikadirwa mvura, chitunha chechimwe chazvo chakwira pamusoro payo, inofanira kuva isina kunaka kwamuri.
Kana mhuka ipi neipi ingadyiwa, ikafa, ani naani unogunzva chitunha chayo uchava usina kunaka kusvikira madeko.
Unodya chitunha chayo ngaasuke nguvo dzake, ave usina kunaka kusvikira madeko; nomunhu unotakura chitunha chayo ngaasuke nguvo dzake, ave usina kunaka kusvikira madeko.
Zvose zvinokambaira, zvinokambaira panyika, zvinofanira kuva zvinonyangadza, hazvifaniri kudyiwa.
Zvose zvinofamba nedumbu, uye zvose zvinofamba namakumbo mana, uye zvose zvinofamba namakumbo mazhinji, zvose zvinokambaira, zvinokambaira panyika, hamufaniri kuzvidya; nokuti zvinonyangadza.
Musazviita vanonyangadza nechinokambaira chipi nechipi, musazviita vasina kunaka nazvo, kuti murege kusvibiswa nazvo.
Nokuti ndini Jehovha, Mwari wenyu; naizvozvo zvitsaurei, muve vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene; musazvisvibisa nechinokambaira chipi nechipi chinopfakanyika panyika.
Nokuti ndini Jehovha wakakubudisai panyika yeIjipiti, kuti ndive Mwari wenyu; naizvozvo muve vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.
Ndiwo murayiro wemhuka, noweshiri, nowezvipenyu zvose zvinopfakanyika mumvura, nezvisikwa zvose zvinokambaira panyika;
kuti mutsaure pakati pezvisakanaka nezvakanaka, napakati pezvipenyu zvingadyiwa nezvipenyu zvisingadyiwi.
12
Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
Taura navana vaIsiraeri uti, Kana mukadzi akava nemimba, akapona mwanakomana, uchava usina kunaka mazuva manomwe, uchava usina kunaka sapanguva yaari kumwedzi.
Nomusi worusere mwanakomana anofanira kudzingiswa chikanda chake chapamberi.
Zvino mukadzi anofanira kugara mazuva makumi matatu namatatu achizvinatsa paropa rake; ngaarege kubata chinhu chitsvene kana kupinda panzvimbo tsvene, kusvikira mazuva okuzvinatsa kwake apera.
Asi kana akapona mwana womusikana, uchava usina kunaka vhiki mbiri, sapamazuva okuva kwake kumwedzi; ngaagare achizvinatsa paropa rake mazuva ana makumi matanhatu namatanhatu.
Kana mazuva okuzvinatsa kwake apera pakupona mwanakomana kana mwanasikana, ngaauye negwayana regore rimwe, kuti chive chipiriso chinopiswa, nakana kenjiva, kana vhukutiva, kuti chive chipiriso chezvivi, kumukova wetende rokusangana kumupirisiti;
agochibayira pamberi paJehovha, kumuyananisira; zvino wanatswa pakuyerera kweropa rake. Ndiwo murayiro kunounopona mwana womukomana kana womusikana.
Kana akasakwanisa kuuya negwayana, ngaatore njiva mbiri kana twana tuviri twenjiva; imwe chive chipiriso chinopiswa, neimwe chipiriso chezvivi; kuti mupirisiti amuyananisire, anake.
13
Zvino Jehovha wakataura naMozisi naAroni akati,
Kana munhu anapakazvimba kana panofunuka, kana chivara paganda romuviri wake, pakaita sehosha yamaperembudzi paganda romuviri wake, anofanira kuiswa kuna Aroni mupirisiti, kana kuno mumwe wavanakomana vake vapirisiti;
mupirisiti zvino anofanira kucherekedza hosha iri paganda romuviri wake; kana mvere dziri pane hosha dzakashanduka dzikava chena, hosha ikaonekwa kuti yakapinda kwazvo mukati meganda romuviri wake, ihosha yamaperembudzi; mupirisiti ngaamucherekedze, agoreva kuti haana kunaka.
Kana chivara chiri chichena paganda romuviri wake, chakaonekwa kuti hachina kupinda mukati meganda kwazvo, mvere dzisina kushanduka, dzikava chena, mupirisiti anofanira kupfigira munhu uyo une hosha mazuva manomwe;
nomusi wechinomwe mupirisiti anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti hosha yakaita seyamira, kuti hosha haina kunyenga paganda, zvino mupirisiti anofanira kumupfigira mamwe mazuva manomwezve;
zvino mupirisita anofanira kumucherekedza nezuva rechinomwe; kana akaona kuti hosha yaita nani, kuti hosha haina kunyenga paganda, zvino mupirisiti uchareva kuti munhu wakanaka hake; pakanga pakafunuka hapo; ipapo anofanira kusuka nguvo dzake agova wakanaka.
Asi kana pakafunuka pachiramba pachinyenga paganda, ambozviratidza kumupirisiti kuti anzi wakanaka, ipapo anofanira kuzviratidzazve kumupirisiti;
zvino mupirisiti anofanira kucherekedza; kana akaona kuti pakafunuka panyenga paganda, ipapo mupirisiti anofanira kureva kuti haana kunaka, maperembudzi.
Kana hosha yamaperembudzi iri pamunhu, anofanira kuiswa kumupirisiti;
zvino mupirisiti anofanira kucherekedza; kana akaona kuti pakazvimba pachena paganda, mvere dzikashanduka, dzikaita chena, pakazvimba pakava nenyama yakatsvuka,
ndiwo maperembudzi anguva avapo paganda romuviri wake, zvino mupirisiti ngaarege kumupfigira, nokuti haana kunaka, ngaareve kuti haana kunaka.
Kana maperembudzi akabuda pose-pose paganda, maperembudzi akafukidza ganda rose romunhu une hosha, kubva pamusoro wake kusvikira kutsoka dzake, pose panoonekwa nomupirisiti;
zvino mupirisiti anofanira kutarira; kana akaona kuti maperembudzi akazadza muviri wake wose, anofanira kureva kuti munhu une hosha wakanaka, zvose zvashanduka zvachena, wakanaka hake.
Asi kana nyama yakatsvuka ikaonekwa kwaari, uchava usina kunaka.
Kana mupirisiti akaona nyama yakatsvuka, anofanira kureva kuti haana kunaka; nyama yakatsvuka haina kunaka, maperembudzi.
Kana nyama yakatsvuka ikashandukazve, ikaita chena, anofanira kuuya kumupirisiti.
Ipapo mupirisiti anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti hosha yashanduka, ikaita chena, mupirisiti anofanira kureva kuti une hosha yakanaka, wakanaka hake.
Zvino kana nyama ine mota paganda, pakapora,
panzvimbo yemota pakauya pakazvimba pakachena, kana chivara chakaita sechitsvuku, zvinofanira kuratidzwa mupirisiti;
zvino mupirisiti anofanira kucherekedza; kana akaona kuti pakadzika pasi peganda, mvere dzapo dzikashanduka dzikaita chena, mupirisiti anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi yabuda napamota.
Asi kana mupirisiti akapacherekedza, akaona kuti hakuna mvere chena ipapo, pasina kudzika pasi peganda, asi pava nani; mupirisiti anofanira kumupfigira mazuva manomwe.
Kana pakanyenga pose paganda, mupirisiti anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha.
Asi kana chivara chikarambira panzvimbo yacho, chikasanyenga, ivanga haro remota; mupirisiti anofanira kuti wakanaka.
Kana nyama yomunhu ina pakatsva paganda rake, nyama yakatsvuka yapo ikaita chivara chichena chakaita sechitsvuku kana chichena,
mupirisiti anofanira kupacherekedza; kana akaona kuti mvere dzapachivara dzashanduka, dzikaita chena, akaona kuti pakaita sapakadzika paganda, ava maperembudzi akabuda napakatsva; mupirisiti anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi.
Asi kana mupirisiti akapacherekedza, akaona kuti hapana mvere chena pachivara, uye kuti hapana kudzika pasi peganda, asi pava nani hapo, mupirisiti anofanira kumupfigira mazuva manomwe.
Zvino mupirisiti anofanira kumucherekedza nezuva rechinomwe; kana pakaramba pachinyenga paganda, mupirisiti anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi.
Kana chivara chikaramba chiri panzvimbo yacho, chikasanyenga paganda, asi chava nani, ndiko kuzvimba kwokutsva hako, mupirisiti anofanira kureva kuti wakanaka hake, nokuti chivara chokutsva.
Kana murume kana mukadzi ane hosha pamusoro kana pandebvu,
mupirisiti anofanira kucherekedza hosha; kana akaona kuti yakapinda mukati, pasi peganda, mvere dziripo dziri tsvuku dzakaita sechena, dziri nhete, mupirisiti anofanira kureva kuti haana kunaka; pafunuka, ndiwo maperembudzi omusoro kana endebvu.
Kana mupirisiti akacherekedza hosha yakafunuka, akaona kuti haina kupinda mukati pasi peganda, pasina mvere nhema ipapo, mupirisiti anofanira kupfigira munhu une hosha yokufunuka mazuva manomwe.
Nomusi wechinomwe mupirisiti anofanira kucherekedza hosha; kana akaona kuti haina kupinda mukati pasi peganda,
anofanira kuveurwa, asi ngaarege kuveura pakafunuka; zvino mupirisiti anofanira kupfigira munhu unapakafunuka mamwe mazuva manomwezve;
nomusi wechinomwe mupirisiti anofanira kucherekedza pakafunuka; kana akaona kuti pakafunuka hapana kunyenga paganda, uye kuti hapana kupinda mukati pasi peganda, mupirisiti anofanira kureva kuti wakanaka hake; zvino iye ngaasuke nguvo dzake, anake.
Asi kana pakafunuka pakanyenga pose paganda shure kwokunatswa kwake;
mupirisiti anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti pakafunuka panyenga paganda, ngaarege hake kutsvaka mvere tsvuku dzakaita sechena; haana kunaka.
Asi kana iye akaona kuti pakafunuka paita sapamira, nemvere nhema dzabudapo, pakafunuka papora hapo, wakanaka; mupirisiti anofanira kureva kuti wakanaka hake.
Kana murume kana mukadzi vane zvivara paganda renyama yavo, zviri zvivara zvichena;
mupirisiti anofanira kuzvicherekedza; kana akaona kuti zvivara paganda renyama zviri zvichena, zvisingabwinyi, imhezi dzakabuda paganda, vakanaka havo.
Kana vhudzi romunhu rakabva pamusoro wake, wava nemhazha; asi wakanaka hake.
Kana vhudzi rake rakabva pamusoro wake nechemberi, une mhazha pahuma, asi wakanaka hake.
Asi kana pamhazha, kana pamhazha yapahuma, pane hosha chena yakaita setsvuku, maperembudzi anobuda pamhazha, kana pamhazha yapahuma.
Zvino mupirisiti anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti pakazvimba pehosha pachena pakaita sapatsvuku pamhazha yake, kana pamhazha yake yapahuma, pakafanana namaperembudzi paganda renyama,
munhu uyo una maperembudzi, haana kunaka; mupirisiti anofanira kureva kwazvo kuti haana kunaka; hosha yake iri pamusoro wake.
Zvino munhu una maperembudzi, une hosha iyo, nguvo dzake dzinofanira kubvarurwa, nevhudzi romusoro wake rinofanira kusunungurwa, uye anofanira kufukidza muromo wake wokumusoro, agodanidzira, achiti, Ndakaipa, ndakaipa!
Mazuva ose aane hosha iyo, uchava usina kunaka; haana kunaka; ngaagare ari oga; pokugara kwake panofanira kuva kunze kwemisasa.
nguvowo ine hosha yamaperembudzi, kana iri nguvo yamakushe amakwai, kana iri nguvo yomucheka;
kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa; kana yamucheka, kana yamakushe amakwai; kana yedehwe, kana chinhu chakaitwa nedehwe;
kana hosha yakaita senhema, kana tsvuku panguvo, kana padehwe, kana pane zvakarukwa, kana pane zvakakoshwa, kana pachinhu chipi nechipi chedehwe; ihosha yamaperembudzi inofanira kuratidzwa mupirisiti;
zvino mupirisiti anofanira kucherekedza hosha iyo, agopfigira chinhu chine hosha mazuva manomwe;
zvino anofanira kucherekedza hosha nezuva rechinomwe; kana hosha yakanyenga panguvo, kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa, kana yedehwe, rine basa ripi neripi; hosha iyo ndeyamaperembudzi akaipa kwazvo; haina kunaka.
Zvino anofanira kupisa nguvo, kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa, kana yamakushe amakwai, kana yomucheka, kana ipi neipi yedehwe, ine hosha iyo; nokuti maperembudzi akaipa kwazvo; inofanira kupiswa nomoto.
Kana mupirisiti akatarira, akaona kuti hosha haina kunyenga panguvo, kana pakarukwa, kana pakakoshwa, kana pachinhu chipi nechipi chedehwe;
mupirisiti anofanira kuraira kuti vasuke chinhu chine hosha, zvino achipfigire mamwe mazuva manomwezve;
mupirisiti agocherekedzazve kana hosha yasukwa; kana akaona kuti hosha haina kushanduka ruvara rwayo, uye kuti hosha haina kunyenga, hachina kunaka; anofanira kuchipisa nomoto; yapinda mukati kwazvo, kana nechapamusoro kana nechapanyasi.
Kana mupirisiti akacherekedza, akaona kuti hosha yava nani pakusukwa kwayo, anofanira kubvarura nguvo kupabvisapo, kana padehwe, kana pakarukwa, kana pakakoshwa;
asi kana ikaramba ichionekwa panguvo, kana pakarukwa, kana pakakoshwa, kana pachinhu chipi nechipi chedehwe, ihosha inobuda; anofanira kupisa chinhu icho chine hosha nomoto;
asi nguvo yaunosuka, kana pakarukwa, kana pakakoshwa, kana chiri chinhu chipi nechipi chedehwe, kana hosha ikabva kwachiri, chinofanira kusukwa rwechipiri, chigova chakanaka.
Ndiwo murayiro wehosha yamaperembudzi panguvo yamakushe amakwai, kana yomucheka, kana chinhu chipi nechipi chedehwe, kuti chigonzi chakanaka, kana hachina kunaka.
14
Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
Ndiwo murayiro womunhu una maperembudzi nomusi wokunatswa kwake: Unofanira kuiswa kumupirisiti;
zvino mupirisiti anofanira kubuda kunze kwemisasa, mupirisiti ugocherekedza munhu uyu; kana akaona kuti hosha yamaperembudzi yapora hayo kumunhu una maperembudzi;
mupirisiti anofanira kuraira kuti unoda kunatswa atorerwe shiri mbiri mhenyu dzakanaka, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi.
Zvino mupirisiti araire kuti shiri imwe iurawe muhari yevhu, pamusoro pemvura inoyerera.
Zvino anofanira kutora shiri mhenyu, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi, ndokuzvinyika pamwechete neshiri mhenyu muropa reshiri yakaurawa pamusoro pemvura inoyerera.
Zvino anofanira kurisasa kanomwe pamusoro pomunhu unoda kunatswa pamaperembudzi ake, ndokureva kuti wakanaka; ipapo woregedza shiri mhenyu, iende hayo kusango.
Zvino munhu unoda kunatswa anofanira kusuka nguvo dzake, nokuveura vhudzi rake rose, ndokushamba mumvura, agova wakanaka; pashure anofanira kupinda mukati memisasa, asi ngaagare kunze kwetende mazuva manomwe.
Nomusi wechinomwe anofanira kuveura vhudzi rake rose romusoro wake, nendebvu dzake, netsiye dzake, aveure vhudzi rake rose; zvino ngaasuke nguvo dzake, ndokushamba muviri wake, agova wakanaka.
Nomusi worusere anofanira kutora makwayana maviri amakondohwe, asina mhosva, negwayana rimwe resheche rine gore rimwe, risina mhosva, nezvegumi zvitatu zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, nerogi imwe yamafuta.
Zvino mupirisiti, unomunatsa, anofanira kuisa munhu unoda kunatswa pamberi paJehovha, pamwechete nezvinhu izvi, pamukova wetende rokusangana;
mupirisiti ndokutora rimwe ramakwayana amakondohwe, ndokuribayira, chive chipiriso chemhosva, nerogi yamafuta, agozvizunguzira, chive chipiriso chokuzunguzira pamberi paJehovha;
zvino anofanira kuuraya gwayana regondohwe pavanourayira chipiriso chezvivi nechipiriso chinopiswa panzvimbo tsvene; nokuti chipiriso chemhosva ndechomupirisiti sechipiriso chezvivi; chitsvene kwazvo.
Ipapo mupirisiti anofanira kutora rimwe ropa rechipiriso chemhosva, mupirisiti agoriisa pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi;
zvino mupirisiti anofanira kutora mamwe mafuta erogi, ndokuadira muchanza choruoko rwake rworuboshwe;
zvino mupirisiti ngaanyike mutendeka wake worudyi mumafuta ari muruoko rwake rworuboshwe, asase mamwe mafuta nomunwe wake kanomwe pamberi paJehovha;
mamwe mafuta akasara muruoko rwake mupirisiti anofanira kuaisa pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe roruoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi, pamusoro peropa rechipiriso chemhosva;
mamwe mafuta akasara muruoko rwomupirisiti anofanira kuaisa pamusoro womunhu unonatswa; kuti mupirisiti amuyananisire pamberi paJehovha.
mupirisiti anofanira kupisa chipiriso chezvivi, kuti ayananisire munhu unonatswa, nokuda kwokusanaka kwake; pashure anofanira kuuraya chipiriso chinopiswa;
mupirisiti anofanira kupisa chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu pamusoro pearitari, kuti mupirisiti amuyananisire, anake.
Kana ari murombo, asingagoni kuwana zvizhinji zvakadai, anofanira kutora gwayana rimwe regondohwe, chive chipiriso chemhosva chokuzunguzira, kumuyananisira, nechegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu, pamwechete nerogi yamafuta;
nenjiva mbiri, notwana tuviri twenjiva, sezvaanogona kuwana; imwe chive chipiriso chezvivi, imwe chive chipiriso chinopiswa;
nomusi worusere anofanira kuuya nazvo kumupirisiti pamusoro pokunatswa kwake, kumukova wetende rokusangana pamberi paJehovha.
Zvino mupirisiti anofanira kutora gwayana rechipiriso chemhosva, nerogi yamafuta, mupirisiti agozvizunguzira, chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha;
zvino ngaauraye gwayana rechipiriso chemhosva, agotora rimwe ropa rechipiriso chemhosva, ariise pamucheto wenzeve yomunhu unonatswa, napagunwe roruoko rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi;
zvino mupirisiti ngaadire mamwe mafuta muchanza choruoko rwake rworuboshwe;
mupirisiti agosasa nomutendeka wake worudyi mamwe mafuta ari muruoko rwake rworuboshwe kanomwe pamberi paJehovha.
Zvino mupirisiti ngaaise mamwe mafuta ari muruoko rwake pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe roruoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi, panzvimbo yeropa rechipiriso chemhosva.
Mamwe mafuta akasara muruoko rwomupirisiti anofanira kuaisa pamusoro womunhu unonatswa, kuti amuyananisire pamberi paJehovha.
Zvino anofanira kubayira njiva imwe, kana kana kenjiva, sezvaanogona kuwana;
sezvaanogona kuwana, imwe chive chipiriso chezvivi, imwe chipiriso chinopiswa, pamwechete nechipiriso choupfu; kuti mupirisiti ayananisire munhu unonatswa pamberi paJehovha.
Ndiwo murayiro wehosha yamaperembudzi kumunhu usingagoni kuwana zvakakwanisira kunatswa kwake. Maperembudzi padzimba
Zvino Jehovha wakataura naMozisi naAroni akati,
Kana masvika kunyika yeKanani, iyo yandakupai, kuti ive yenyu, kana ndikaisa hosha yamaperembudzi muimba yenyika yenyu;
muridzi weimba anofanira kuuya kuzoudza mupirisiti, achiti, Ndinoona kuti imba yangu inenge ine hosha.
Ipapo mupirisiti anofanira kuraira kuti vabudise zvose zviri mumba, iye mupirisiti asina kupinda kundotarira hosha, kuti zvose zviri mumba zvirege kusvibiswa; pashure mupirisiti apinde kundotarira imba iyo.
Zvino ngaacherekedze hosha; kana akaona kuti hosha iri mumadziro eimba; ina mavara akapinda, akaita samatema kana matsvuku, akaita saakapinda mukati mamadziro,
mupirisiti anofanira kubuda paimba, ndokuenda kumukova weimba, ndokupfiga imba mazuva manomwe;
zvino mupirisiti anofanira kudzokazve nezuva rechinomwe, kuti acherekedze; kana akaona kuti hosha yakapararira pamadziro eimba;
mupirisiti anofanira kuraira kuti vabvise mabwe ane hosha paari, vaakandire panzvimbo isina kunaka kunze kweguta;
ipapo ngaaraire kuti imba iparwe mukati mayo kunhivi dzose, mavhu avanopara agodururirwa kunze kweguta panzvimbo isina kunaka;
zvino mamwe mabwe atorwe, aiswe panzvimbo yamamwe iwayo, iye atore aumbe imba naro.
Kana hosha ikadzokazve, ikabuda muimba iyo, mabwe ambobviswa, imba yaparwa nokuuyiwa,
mupirisiti anofanira kupinda nokucherekedza; kana akaona kuti hosha yapararira mumba, ndiwo maperembudzi akaipa kwazvo, yava yakaipa.
Zvino anofanira kuputsa imba, namabwe ayo, namatanda ayo, nevhu rose reimba, ndokuzvitakurira kunze kweguta kunzvimbo isina kunaka.
Uye ani naani unopinda mumba panguva yose yokupfigwa kwayo uchava usina kunaka kusvikira madeko.
Munhu wakavata muimba iyo, anofanira kusuka nguvo dzake.
Kana mupirisiti akapinda, akatarira, akaona kuti hosha haina kupararira mumba, kubva pakuuyiwa kweimba, mupirisiti anofanira kureva kuti imba yakanaka, nokuti hosha yapora.
Zvino anofanira kutora shiri mbiri, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi, kuti anatse imba;
ipapo ngaauraye shiri imwe muhari yevhu pamusoro pemvura inoyerera,
ndokutora danda romusidhari, nehisopi, nomucheka mutsvuku, neshiri mhenyu, azvinyike muropa reshiri yakaurawa uye mumvura inoyerera, ndokusasa imba kanomwe;
anofanira kunatsa imba neropa reshiri nemvura inoyerera neshiri mhenyu, nedanda romusidhari, nehisopi nomucheka mutsvuku;
asi shiri mhenyu anofanira kuiregedza kuti iende hayo kunze kweguta kusango; saizvozvo anofanira kuyananisira imba iyo, kuti ive yakanaka.
Ndiwo murayiro wamarudzi ose wamaperembudzi napakafunuka;
nowamaperembudzi enguvo, neeimba,
nowapakazvimba, nowapakafunuka, nowechivara,
kuzivisa mupirisiti kana chinhu chisina kunaka kana chakanaka. Ndiwo murayiro wamaperembudzi.
15
Zvino Jehovha wakataura naMozisi naAroni akati,
Taurai navana vaIsiraeri, muti kwavari, Kana murume ane zvimwe zvinoyerera, zvinobuda pamuviri wake, uchava usina kunaka nokuda kwokuyerera kwake.
Ndiko kusanaka kwokuyerera kwake: Kana muviri wake uchibudisa zvinoyerera, kana muviri warega hawo kubudisa zvinoyerera, ndiko kusanaka kwokuyerera kwake.
nhovo imwe neimwe yaanovata pamusoro payo ichava isina kunaka; nechinhu chimwe nechimwe chaanogara chichava chisina kunaka.
Ani naani unobata nhovo dzake, ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
Munhu unogara pachinhu chakagarwa naiye une zvinoyerera, ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
Munhu unobata muviri waiye une zvinoyerera, ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
Kana munhu une zvinoyerera akapfira mumwe wakanaka mate, iye ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
Chigaro chipi nechipi chinogarwa nomunhu une zvinoyerera chichava chisina kunaka.
Ani naani unobata chinhu chakanga chiri pasi pake, uchava usina kunaka kusvikira madeko; kunyange wakatakura zvinhu izvo ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
Ani naani unobatwa nomunhu une zvinoyerera, kana asina kumboshamba maoko ake nemvura, ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
Hari yevhu inobatwa nomunhu une zvinoyerera ngaiputswe; kana uri mudziyo wamatanda, mumwe nomumwe anofanira kusukurudzwa nemvura.
Kana munhu une zvinoyerera akanatswa pakuyerera kwake, anofanira kuzvitarira mazuva manomwe okuzvinatsa kwake, zvino asuke nguvo dzake, ndokushambidza muviri wake nemvura inoyerera, anake.
Nomusi worusere anofanira kutora njiva mbiri kana twana tuviri twenjiva, auye pamberi paJehovha pamukova wetende rokusangana, ape mupirisiti idzedzo;
zvino mupirisiti anofanira kudzibayira, imwe chive chipiriso chezvivi, imwe chipiriso chinopiswa; mupirisiti amuyananisire pamberi paJehovha pamusoro pokuyerera kwake.
Kana mbeu yomurume upi noupi ikabuda kwaari, anofanira kushambidza muviri wake wose nemvura, agova usina kunaka kusvikira madeko.
nguvo ipi neipi, nedehwe ripi neripi, zvadonherwa nembeu, zvinofanira kusukwa nemvura, zvive zvisina kunaka kusvikira madeko.
Mukadziwo wakavata nomurume nembeu, vose vari vaviri vanofanira kuzvishambidza nemvura, vave vasina kunaka kusvikira madeko.
Kana mukadzi ane zvinoyerera, zvinoyerera pamuviri wake riri ropa, uchava pakusanaka kwake mazuva manomwe; ani naani unomubata uchava usina kunaka kusvikira madeko.
Chinhu chipi nechipi chaanovata pamusoro pacho pakusanaka kwake chichava chisina kunaka, uye chinhu chipi nechipi chaanogara chichava chisina kunaka.
Ani naani unobata nhovo dzake anofanira kusuka nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
Ani naani unobata chinhu chipi nechipi chaanogara, anofanira kusuka nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
Kana akabata chinhu chiri panhovo, kana chinhu chipi nechipi chaanogara, uchava usina kunaka kusvikira madeko.
Uye murume upi noupi kana akavata naye achiri pakusanaka kwake, uchava usina kunaka mazuva manomwe; nhovo dzose dzaanovata pamusoro padzo dzichava dzisina kunaka.
Kana mukadzi anokuyerera kweropa rake mazuva mazhinji panguva isati iri yokuva kwake kumwedzi, uye kana ane zvinoyerera kudarika nguva yokuva kwake kumwedzi, mazuva ose okuyerera kwokusanaka kwake anofanira kuita sezvaanoita pamazuva okuva kwake kumwedzi. Wava usina kunaka.
nhovo ipi neipi yaanovata pamusoro payo mazuva ose okuyerera kwake ichava kwaari senhovo yokuva kwake kumwedzi; chinhu chipi nechipi chaanogara chichava chisina kunaka, sapanguva yokusanaka kwokuva kwake kumwedzi.
Ani naani unobata zvinhu izvo uchava usina kunaka, ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
Asi kana anatswa pakuyerera kwake, anofanira kuzvitarira mazuva manomwe; kana iwo apera uchava wakanaka.
Nomusi worusere anofanira kutora njiva mbiri, kana twana tuviri twenjiva, auye nadzo kumupirisiti, kumukova wetende rokusangana.
Zvino mupirisiti anofanira kuuraya imwe, chive chipiriso chezvivi, imwe chive chipiriso chinopiswa; mupirisiti amuyananisire pamberi paJehovha pamusoro pokuyerera kwokusanaka kwake.
Saizvozvo munofanira kuparadzanisa vana vaIsiraeri pakusanaka kwavo, kuti varege kufa pakusanaka kwavo, kana vachisvibisa tabhenakeri yangu iri pakati pavo.
Ndiwo murayiro womunhu une zvinoyerera, nounobudisa mbeu yake, akazova usina kunaka nazvo;
nounorwara nokuva kwake kumwedzi, nounezvinoyerera, kana ari murume, kana ari mukadzi, nowounovata naiye usina kunaka.
16
Zvino Jehovha wakataura naMozisi, shure kwokufa kwavanakomana vaAroni, musi wavakaswedera pamberi paJehovha, vakafa;
Jehovha akati kuna Mozisi, Taura naAroni mukuru wako, kuti arege kupinda nguva dzose panzvimbo tsvene mukati mechidzitiro, pamberi pechifunhiro chokuyananisa, chiri pamusoro peareka, kuti urege kufa; nokuti ndichazviratidza mugore pamusoro pechifunhiro chokuyananisa.
Zvino Aroni ngaapinde munzvimbo tsvene nezvinhu izvi: Nzombe duku, chive chipiriso chezvivi, negondohwe, chive chipiriso chinopiswa.
Anofanira kufuka jasi dzvene romucheka, avewo namabhurukwa omucheka pamuviri wake, nokuzvisunga chiuno chake nebhanhire romucheka, nokudzikawo nguwani yomucheka; ndidzo nguvo tsvene; ngaashambidze muviri wake nemvura, agozvifuka.
Zvino anofanira kutora kuungano yavana vaIsiraeri nhongo mbiri dzembudzi, chive chipiriso chezvivi, negondohwe rimwe, chive chipiriso chinopiswa.
Aroni anofanira kuuya nenzombe yake duku yechipiriso chezvivi, kuti azviyananisire, iye neveimba yake.
Zvino ngaatore mbudzi mbiri, adziise pamberi paJehovha pamukova wetende rokusangana;
Aroni zvino anofanira kukanda mijenya pamusoro pembudzi mbiri, mumwe mujenya waJehovha, mumwe waAzazeri.
Zvino Aroni anofanira kuuya nembudzi yakabatwa nomujenya pamberi paJehovha, ndokuibayira chive chipiriso chezvivi.
Asi mbudzi yakabatwa nomujenya waAzazeri, inofanira kuiswa iri mhenyu pamberi paJehovha kuti ayananisire pamusoro payo, igoregedzwa iende kurenje, ive yaAzazeri.
Zvino Aroni anofanira kuuya nenzombe duku yake yechipiriso chezvivi, kuti azviyananisire nayo, iye naveimba yake, auraye nzombe yake yechipiriso chezvivi;
ipapo ngaatore harana yezvinonhuwira, izere namazimbe omoto uri paaritari pamberi paJehovha, namaoko ake azere nezvinonhuwira zvakanaka zvakakuyiwa, auye nazvo mukati mechidzitiro;
zvino ngaaise zvinonhuwira pamusoro pomoto pamberi paJehovha, kuti gore routsi hwezvinonhuwira rifukidze chifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro pechipupuriro, kuti arege kufa;
zvino ngaatore rimwe ropa renzombe, arisase nomunwe wake pamusoro pechifunhiro chokuyananisa, kurutivi rwamabvazuva, nerimwe ropa arisase nomunwe wake kanomwe pamberi pechifunhiro chokuyananisa.
Ipapo anofanira kuuraya mbudzi yechipiriso chezvivi chavanhu, ndokuuya neropa rayo mukati mechidzitiro, agoita neropa rayo sezvaakaita neropa renzombe, arisase pamusoro pechifunhiro chokuyananisa;
anofanira kuyananisirawo nzvimbo tsvene nokuda kwokusanaka kwavana vaIsiraeri, uye nokuda kwokudarika kwavo nezvivi zvavo zvose; saizvozvo anofanira kuitirawo tende rokusangana rinogara navo pakati pokusanaka kwavo.
Ngakurege kuva nomunhu mutende rokusangana, kana iye achipindamo kuyananisira panzvimbo tsvene kusvikira abuda, apedza kuzviyananisira iye naveimba yake, neungano yose yavaIsiraeri.
Ipapo anofanira kubuda kuaritari iri pamberi paJehovha, agondoiyananisira; ngaatore rimwe ropa renzombe, nerimwe ropa rembudzi, ariise panyanga dzearitari panhivi dzose.
Rimwe ropa ngaarisase kanomwe pamusoro payo nomunwe wake, kuti ainatse nokuiita tsvene pakusanaka kwavana valsiraeri.
Kana apedza kuyananisira nzvimbo tsvene netende rokusangana, nearitari, ngaauye nembudzi mhenyu,
Aroni agoisa maoko ake ose pamusoro wembudzi mhenyu, ndokureurura pamusoro payo zvakaipa zvose zvavana vaIsiraeri nokudarika kwavo kwose, izvo zvivi zvavo zvose; ngaazviise pamusoro wembudzi, ndokuiregedza, itumwe kurenje nomunhu wakanga arairwa.
Mbudzi iyo inofanira kutakurira zvakaipa zvavo zvose kunyika isina vanhu; anofanira kuregedza mbudzi iyo murenje.
Zvino Aroni anofanira kupinda mutende rokusangana, anofanira kubvisa nguvo dzake dzomucheka, idzo dzaakanga akafuka pakupinda kwake panzvimbo tsvene, agodzisiyapo.
Anofanira kushambidza muviri wake nemvura munzvimbo tsvene, ndokufuka nguvo dzake ndokubuda, agobayira chipiriso chake chinopiswa nechipiriso chinopiswa chavanhu, kuti azviyananisire iye navanhu.
Zvino ngaapise mafuta echipiriso chezvivi pamusoro pearitari.
Uya munhu unondoregedza mbudzi yaAzazeri anofanira kusuka nguvo dzake, nokushambidza muviri wake nemvura, agozopinda mumisasa pashure.
Asi nzombe yechipiriso chezvivi, nembudzi yechipiriso chezvivi zvakaisirwa ropa razvo panzvimbo tsvene kuti zviyananisire, zvinofanira kutakurirwa kunze kwemisasa; zvino vanofanira kupisa matehwe azvo nenyama yazvo namazvizvi azvo nomoto.
Nomunhu unozvipisa anofanira kusuka nguvo dzake, nokushambidza muviri wake nemvura, agozopinda mumisasa pashure.
Unofanira kuva murayiro usingaperi kwamuri: Nomwedzi wechinomwe, nezuva regumi romwedzi, munofanira kuchema pamweya yenyu, nokusabata mabasa ose, kana ari munhu wakaberekerwa pakati penyu, kana ari mutorwa ugere pakati penyu;
nokuti munofanira kuyananisirwa nezuva iro, kuti munatswe; munofanira kunatswa pazvivi zvenyu zvose pamberi paJehovha.
Rinofanira kuva Sabata rokuzorora kwazvo kwamuri, munofanira kuchema pamweya yenyu; murayiro usingaperi.
mupirisiti uchazozodzwa nokugadzwa paupirisiti panzvimbo yababa vake, iye anofanira kuyananisira nokufuka nguvo dzomucheka, idzo nguvo tsvene;
anofanira kuyananisira nzvimbo tsvene, uye anofanira kuyananisira tende rokusangana nearitari; uye anofanira kuyananisira vapirisiti navanhu vose veungano.
Uyu unofanira kuva murayiro usingaperi kwamuri, kuyananisira vana vaIsiraeri kamwe chete pagore pamusoro pezvivi zvavo. Akaita sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
17
Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
Taura naAroni navanakomana vake navana vaIsiraeri vose, uti kwavari, Ndiro shoko rakarairwa naJehovha:
Munhu upi noupi kuna veimba yaIsiraeri unouraya nzombe, kana gwayana, kana mbudzi, mukati memisasa, kana unozviuraya kunze kwemisasa,
asina kuzviisa pamukova wetende rokusangana, kuzviisa pamberi petabhenakeri yaJehovha kuti chive chipo kuna Jehovha, munhu uyu anofanira kubviswa pakati porudzi rwake;
kuti vana vaIsiraeri vauye nezvibayiro zvavo zvavanobayira kusango, vauye nazvo kuna Jehovha kumukova wetende rokusangana kumupirisiti, kuti vazvibayire Jehovha, zvive zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisira.
Zvino mupirisiti ngaasase ropa razvo paaritari yaJehovha, pamukova wetende rokusangana; apisewo mafuta, kuti zvinhuwire zvakanaka pamberi paJehovha.
Havafaniri kuzobayira nhongo zvibayiro zvavo, idzo dzavaitevera pakupata kwavo. Uyo unofanira kuva murayiro usingaperi kwavari kusvikira kumarudzi avo ose.
Iwe unofanira kuti kwavari, Munhu upi noupi waveimba yaIsiraeri, kana wavatorwa vagere pakati pavo, unopisira chipiriso chinopiswa kana chimwe chibayiro,
asingauyi nacho kumukova wetende rokusangana, kuti achibayire Jehovha, munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake. Ropa harifaniri kudyiwa
Munhu upi noupi waveimba yaIsiraeri, kana wavatorwa vagere pakati pavo, unodya ropa ripi neripi, ndichatonga munhu uyo unodya ropa, ndimubvise pakati porudzi rwake.
Nokuti upenyu hwenyama huri muropa; ndakakupai iro paaritari, kuti riyananisire mweya yenyu; nokuti iropa rinoyananisira nokuda kwoupenyu hurimo.
Naizvozvo ndakati kuvana vaIsiraeri, Kurege kuva nomumwe wenyu uchadya ropa, kana mutorwa upi noupi ugere pakati penyu, ngaarege kudya ropa.
Munhu upi noupi kuvana vaIsiraeri, kana kuvatorwa vagere pakati pavo, wakabata pakuvhima kwake mhuka ipi neipi kana shiri inodyiwa, anofanira kudurura ropa rayo, ndokurifukidza neguruva.
Nokuti kana huri upenyu hwenyama yose, ropa razvo ndihwo upenyu hwazvo, naizvozvo ndakati kuvana vaIsiraeri, Regai kudya ropa razvo; ani naani unoridya anofanira kubviswa:
Munhu upi noupi unodya chinhu chakangofa choga, kana chakaurawa nezvikara, kana ari munhu wakaberekerwa pakati penyu, kana ari mutorwa, anofanira kusuka nguvo dzake, nokuzvishambidza nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko; ipapo uchazova wakanaka.
Asi kana asingadzisuki, kana kushambidza muviri wake, uchafanira kuva nemhosva yake.
18
Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, Ndini Jehovha, Mwari wenyu.
Regai kuita sezvakanga zvichiitwa panyika yeIjipiti mamakanga mugere, uye regai kuita sezvinoitwa panyika yeKanani, kwandichazokuisai; musafamba netsika dzavo.
Itai zvandakatonga ini, chengetai zvirevo zvangu, kuti mufambe mazviri; ndini Jehovha, Mwari wenyu.
Naizvozvo chengetai zvirevo zvangu, nezvandakatonga; kana munhu akazviita uchararama nazvo; ndini Jehovha.
Ngakurege kuva nomunhu unoswedera kuhama yake yomumba, kuti amufukure, ndini Jehovha.
Usafukura baba vako, namai vako; ndimai vako, usavafukura.
Usafukura mukadzi wababa vako; ndiko kufukura baba vako.
Usafukura hanzvadzi yako, mwanasikana wababa vako, kana mwanasikana wamai vako, kana vakaberekerwa mumusha kana vakaberekerwa kumwe.
Usafukura mwanasikana womwanakomana wako, kana mwanasikana womwanasikana wako; nokuti kufukurwa kwavo ndiko kwako.
Usafukura mwanasikana womukadzi wababa vako, wakaberekwa nababa vako, ihanzvadzi yako.
Usafukura vatete vako; ihama yomumba mababa vako.
Usafukura mainini vako, nokuti ihama yomumba mamai vako.
Usafukura babamunini vako, usaswedera kumukadzi wake, ndimainini vako.
Usafukura mukadzi womwanakomana wako, ndimukadzi womwanakomana wako; usamufukura.
Usafukura mukadzi womunununa wako, ndiko kufukurwa kwomwanakomana wako.
Usafukura mukadzi pamwechete nomwanasikana wake; usatora mwanasikana womwanakomana wake, kuti umufukure; ihama dzomumba; zvakashata.
Usatora mukadzi pamwechete nomunununa wake, arwidzane naye, kuti umufukure pamwechete nomumwe achiri mupenyu.
Usaswedera kumukadzi kuti umufukure, achakaipa nokuva kumwedzi kwake.
Usavata nomukadzi wowokwako, kuti uzvisvibise naye.
Usapa mumwe wavana vako kuti apinde mumoto kuna Moreki, uye usamhura zita raMwari wako; ndini Jehovha.
Usavata nomurume sezvinovatwa nomukadzi; zvinonyangadza.
Usavata nechipfuwo chipi nechipi kuti uzvisvibise nacho; nomukadzi ngaarege kumira pamberi pechipfuwo kuti akwirwe nacho; zvinonyangadza kwazvo.
Regai kuzvisvibisa kune chinhu chimwe chaizvozvi; nokuti vahedheni vakasvibiswa nezvinhu izvi zvose, ivo vandakadzinga pamberi penyu;
nenyika yakasvibiswa; naizvozvo ndinoirova pamusoro pezvakaipa zvayo, nyika irutse vanhu vageremo.
Naizvozvo imwi chengetai mitemo yangu nezvandakatonga, kuti murege kuita chinhu chimwe chaizvozvo zvinonyangadza; kana ari wakaberekerwa munyika yenyu, kana ari mutorwa ugere pakati penyu.
(Nokuti vanhu venyika ino, vakakutangirai, vakaita zvinhu izvi zvose zvinonyangadza, nyika ikasvibiswa;)
kuti nyika irege kukurutsaiwo, kana muchiisvibisa, sezvayakarutsa vanhu vakakutangirai.
Nokuti ani naani unoita chinhu chimwe chaizvozvi zvinonyangadza, vanhu vanozviita vachabviswa pakati porudzi rwavo.
Naizvozvo chengetai zvandakakurairai, kuti murege kuita tsika idzo dzose dzinonyangadza, dzaiitwa musati mavapo, kuti murege kuzvisvibisa nazvo; ndini Jehovha Mwari wenyu.
19
Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
Taura neungano yose yavana vaIsiraeri, uti kwavari, Ivai vatsvene, nokuti ini Jehovha Mwari wenyu ndiri mutsvene.
Mumwe nomumwe wenyu anofanira kutya mai vake nababa vake, uye munofanira kuchengeta maSabata angu; ndini Jehovha Mwari wenyu.
Musava nehanya nezvifananidzo, kana kuzviitira vamwari vakaumbwa; ndini Jehovha Mwari wenyu.
Kana muchipa Jehovha chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa, munofanira kuchipa kuti mugamuchirwe.
Chinofanira kudyiwa nomusi wamunochipa nawo, uye nomusi unotevera; kana zvimwe zvikasara kusvikira pazuva retatu, zvinofanira kupiswa nomoto.
Kana chikatongodyiwa nezuva retatu, zvinonyangadza; hachigamuchirwi.
Asi mumwe nomumwe unochidya, uchava nemhosva, nokuti wamhura chinhu chitsvene chaJehovha; munhu uyu anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
Kana muchikohwa gohwo reminda yenyu, rega kukohwa micheto yomunda wako, uye usaunganidza zvawira pasi pakukohwa kwako.
Usakohwa zvose pamunda wako wemizambiringa, uye usaunganidza michero yawira pasi yomunda wako wemizambiringa; unofanira kuzvisiyira varombo navaeni; ndini Jehovha Mwari wenyu.
Musaba, musanyengera, musareverana nhema.
Musapika nhema nezita rangu, kuti usamhura zita raMwari wako; ndini Jehovha.
Usamanikidza wokwako, kana kumutorera; haufaniri kugara usiku hwose kusvikira mangwana nomubayiro womuranda unokubatira.
Usatuka matsi, kana kupinganidza bofu, asi unofanira kutya Mwari wako; ndini Jehovha.
Musaita zvisakarurama pakutonga; usatsaura murombo, kana kukudza une simba; asi unofanira kutonga wokwako nokururama.
Usafamba-famba pakati pavanhu vokwako, uchivachera; usapupurira ropa rowokwako; ndini Jehovha.
Usavenga hama yako mumoyo mako; unofanira kuraira wokwako kwazvo, kuti urege kuva nezvivi nokuda kwake.
Usatsiva, kana kugara wakatsamwira vana vavanhu vokwako, asi unofanira kuda wokwako sezvaunozvida iwe; ndini Jehovha.
Chengetai mitemo yangu. Usaberekesa zvipfuwo zvako norumwe rudzi; usadzvara mbeu dzamarudzi maviri mumunda mako; usafuka nguvo yakarukwa nezvinhu zvamarudzi maviri.
Ani naani unovata nomukadzi ari murandakadzi, wakanyengwa nomurume, asina kudzikunurwa kwazvo, kana kusunungurwa, vanofanira kurohwa; asi havafaniri kuurawa, nokuti wakanga asina kusunungurwa.
Ngaauye nechipiriso chemhosva kuna Jehovha pamukova wetende rokusangana, rive gondohwe rechipiriso chemhosva.
Zvino mupirisiti anofanira kumuyananisira negondohwe rechipiriso chemhosva pamberi paJehovha pamusoro pezvivi zvake zvaakatadza; ipapo uchakanganwirwa zvivi zvake zvaakatadza.
Kana muchisvika munyika, mukasima miti yamarudzi ose anodyiwa, munofanira kuti michero yayo yakaita seisina kudzingiswa; makore matatu ichava kwamuri seisina kudzingiswa; haifaniri kudyiwa.
Asi negore rechina michero yayo yose ichava mitsvene, kuti murumbidze Jehovha nazvo.
Negore rechishanu mungadya michero yayo; ndini Jehovha Mwari wenyu.
Musadya chinhu chine ropa racho; musaita mazango, kana kutenda mashura.
Musaveura misoro yenyu muchiita matendeure, uye musashatisa nhivi dzendebvu dzenyu.
Musazvicheka miviri yenyu nokuda kwavakafa, kana kuzvitema nyora; ndini Jehovha.
Usaisa mwanasikana wako, uchimuita chifeve; kuti nyika irege kupata, nyika izare nezvakaipa.
Chengetai maSabata angu, nokutya imba yangu tsvene; ndini Jehovha.
Musava nehanya namasvikiro, kana musvibiswe navo; ndini Jehovha Mwari wenyu.
Unofanira kusimukira wachena vhudzi, nokukudza mutana, uye utye Mwari wako; ndini Jehovha.
Kana mutorwa agere newe panyika yenyu, usamuitira zvakaipa.
Mutorwa ugere nemi ngaave kwamuri somunhu wakaberekerwa pakati penyu, unofanira kumuda sezvaunozvida iwe, nokuti nemiwo makanga muri vatorwa munyika yeIjipiti; ndini Jehovha Mwari wenyu.
Musaita zvisina kururama pakutonga, kana pakuyera nechitanda, kana pakuyera kurema, kana pachiyero.
Ivai nezviyero zvakarurama, nezvokuenzanisa nazvo zvakarurama, neefa yakarurama, nehini yakarurama; ndini Jehovha Mwari wenyu wakakubudisai munyikayeIjipiti
Chengetai mitemo yangu yose, nezvandakatonga zvose, kuti muzviite; ndini Jehovha.
20
Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
Uyezve, uti kuvana vaIsiraeri, Ani naani pakati pavana vaIsiraeri, kana pavatorwa vagere pakati pavaIsiraeri, unopa Moreki vana vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa; vanhu venyika vanofanira kumutaka namabwe.
Neniwo ndichananaidza munhu uyo, ndichamubvisa pakati porudzi rwake; nokuti wakapa Moreki vamwe pakati pavana vake, kuti asvibise imba yangu tsvene, nokumhura zita rangu dzvene.
Kana vanhu vakaita savasingaoni munhu uyo, kana achipa Moreki vamwe pakati pavana vake, vakasamuuraya;
ipapo ini ndichananaidza munhu uyo nemhuri yake, ndimubvise pakati porudzi rwake, iye navose vanomutevera pakupata naMoreki.
Munhu unotsaukira kumasvikiro navavuki kuvatevera pakupata, ndichananaidza munhu uyo, ndimubvise pakati porudzi rwake.
Naizvozvo zvitsaurei, muve vatsvene; nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
Munofanira kuchengeta mitemo yangu, nokuiita; ndini Jehovha unokutsaurai.
Nokuti mumwe nomumwe unotuka baba vake, kana mai vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa; munhu wakatuka baba vake kana mai vake, mhosva yeropa rake ichava pamusoro pake.
Munhu unoita upombwe nomukadzi womumwe, iye unoita upombwe nomukadzi wowokwake, zvirokwazvo mhombwe nechifeve vose vachaurawa.
Munhu unovata nomukadzi wababa vake, wafukura baba vake, zvirokwazvo vose vari vaviri vanofanira kuurawa; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo.
Kana munhu akavata nomukadzi womwanakomana wake, zvirokwazvo vose vari vaviri vanofanira kuurawa; vakaita zvinonyangadza kwazvo; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo.
Kana munhu akavata nomurume sezvinoitwa nomukadzi, zvirokwazvo vose vari vaviri vakaita zvinonyangadza, vose vanofanira kuurawa; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo.
Kana munhu akatora mukadzi pamwechete namai vake, zvakaipa; vanofanira kupiswa nomoto vose, iye naivo; kuti kurege kuva nezvakaipa pakati penyu.
Kana munhu akavata nechipfuwo, zvirokwazvo anofanira kuurawa; nechipfuwowo munofanira kuchiuraya.
Kana mukadz akaswedera kuchipfuwo chipi nechipi kuti avate pamberi pacho, munofanira kuuraya mukadzi nechipfuwo; zvirokwazvo zvinofanira kuurawa; mhosva yeropa razvo ichava pamusoro pazvo.
Kana munhu akatora hanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake, kana mwanasikana wamai vake, akamufukura, naiyewo akamufukura, chinhu chinyonyadza; vachabviswa pamberi pavana vorudzi rwavo; wafukura hanzvadzi yake, iye uchava nemhosva yake.
Kana munhu akavata nomukadzi panguva yokuva kumwedzi kwake, akamufukura, wafukura tsime rake, naiye wafukura tsime reropa rake; ivo vaviri vose vanofanira kubviswa pakati porudzi rwavo.
Usafukura mainini vako, kana vatete vako, nokuti wafukura hama yako yomumba; vachava nemhosva yavo.
Kana munhu akavata nomukadzi wababamunini vake, wafukura babamunini vake; vachava nezvivi zvavo; vachafa vasina vana.
Kana munhu akatora mukadzi womunununa wake, chinhu chine tsvina; wafukura munununa wake; vachashaiwa vana.
Naizvozvo chengetai mitemo yangu yose, nezvose zvandakatonga, kuti muzviite; kuti nyika yandinozokuisai kwairi, kuti mugaremo, irege kukurutsai.
Musafamba netsika dzorudzi rwavanhu vandichadzinga pamberi penyu; nokuti ivo vakaita izvozvo zvose, naizvozvo ndakavasema.
Asi ndakakuudzai imwi, ndikati, Muchagara nhaka yenyika yavo, ndichakupai iyo ive yenyu; inyika inoyerera mukaka nouchi; ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakutsaurai pakati pedzimwe ndudzi.
Naizvozvo tsaurai zvipfuwo zvakanaka pane zvakaipa, neshiri dzakaipa pane dzakanaka; kuti murege kuva vanhu vanonyangadza nezvipfuwo, kana neshiri, kana nechinhu chipi nechipi chinokambaira panyika chandakatsaura kwamuri ndichiti, hazvina kunaka.
Munofanira kuva vatsvene kwandiri; nokuti ini Jehovha ndiri mutsvene, ndakakutsaurai pakati pedzimwe ndudzi, kuti muve vangu.
Murume kana mukadzi unosvikirwa, kana uri muuki, zvirokwazvo anofanira kuurawa; vanofanira kutakwa namabwe; mhosva yeropa ravo ichava pamusoro pavo.
21
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Taura navapirisiti, vanakomana vaAroni, uti kwavari, mupirisiti ngaarege kuzvisvibisa kuna vakafa pakati porudzi rwake;
asi kuhama yake yomumba, kana mai vake, kana baba vake, kana mwanakomana wake, kana mwanasikana wake, kana munununa wake;
kana hanzvadzi yake ichiri mhandara, hama yomumba, usina kumbova nomurume; ungazvisvibisa kwaari.
Ngaarege kuzvisvibisa, zvaari mukuru pakati pehama dzake, kuti azvishatise.
Havafaniri kuveura misoro yavo, vachiita mhazha, kana kuveura rutivi rumwe rwendebvu dzavo, kana kutema nyora pamiviri yavo.
Vanofanira kuva vatsvene kuna Mwari wavo, varege kumhura zita raMwari wavo; nokuti ndivo vanouya nezvipiriso zvaJehovha zvinopiswa, zvokudya zvaMwari wavo; naizvozvo ngavave vatsvene.
Havafaniri kutora mukadzi chifeve, kana wakachinyiwa; ngavarege kutora mukadzi wakarambwa nomurume wake, nokuti mutsvene kuna Mwari wake.
Naizvozvo unofanira iwe kumutsaura, nokuti ndiye unouya nezvokudya zvaMwari wako; anofanira kuva mutsvene kwauri, nokuti ini Jehovha ndinokutsaurai, ndiri mutsvene.
Kana mwanasikana womupirisiti upi noupi achizvishatisa nokupata, unoshatisa baba vake; anofanira kupiswa nomoto.
Munhu, ari mupirisiti mukuru pakati pehama dzake, wakadirwa mafuta echizoro pamusoro wake, wakatsaurwa kuti afuke nguvo dzomupirisiti mukuru, ngaarege kusunungura vhudzi romusoro wake, kana kubvarura nguvo dzake.
Ngaarege kusvika pachitunha, kana kuzvisvibisa kuna baba vake kana mai vake;
ngaarege kubuda panzvimbo tsvene, kana kushatisa nzvimbo tsvene yaMwari wake, nokuti mafuta okugadza aMwari wake ari pamusoro pake; ndini Jehovha.
Ngaazvitorere mukadzi ichiri mhandara.
Ngaarege kutora chirikadzi, kana wakarambwa nomurume wake, kana wakachinyiwa, kana chifeve, asi ngaatore mukadzi ichiri mhandara pakati porudzi rwake.
Ngaarege kushatisa vana vake pakati porudzi rwake; nokuti ndini Jehovha ndinomutsaura.
zvino Jehovha wakataura naMozisi, akati,
Taura naAroni, uti, Ani naani wakaremara pakati pavana vako pamarudzi avo ose, ngaarege kuswedera kuuya nezvokudya zvaMwari wake.
Nokuti munhu upi noupi wakaremara ngaarege kuswedera kana riri bofu, kana unokamhina, kana wakaremara pachiso, kana uno mutezo wakarebesa,
kana munhu ano rutsoka rwakavhunika, kana ruoko rwakavhunika,
kana ano musana wakakombama, kana wakawonda kwazvo, kana uno ruvara paziso rake, kana ane mhizi, kana ane pakafunuka, kana wakaremara pamberi;
munhu upi noupi worudzi rwomupirisiti Aroni wakaremara haafaniri kuswedera kuuya nezvipiriso zvinopiswa zvaJehovha; wakaremara, haafaniri kuswedera kuuya nezvokudya zvaMwari wake.
Ungadya hake zvokudya zvaMwari wake, zvitsvene zvikuru nezvitsvene zvose.
Asi haafaniri kupinda mukati mechidzitiro, kana kuswedera kuaritari nokuti wakaremara; kuti arege kushatisa nzvimbo dzangu tsvene; nokuti ndini Jehovha ndinovatsaura.
Mozisi akataura saizvozvo naAroni navanakomana vake navana vaIsiraeri vose.
22
Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
Taura naAroni navanakomana vake, kuti vazvitsaure pazvinhu zvitsvene zvavana vaIsiraeri, zvavanonditsaurira, kuti varege kushatisa zita rangu dzvene; ndini Jehovha.
Uti kwavari, Ani naani kuvana venyu kumarudzi enyu ose, unoswedera kuzvinhu zvitsvene, zvakatsaurirwa Jehovha navana vaIsiraeri, asina kunaka, munhu uyo anofanira kubviswa pamberi pangu; ndini Jehovha.
Ani naani kuvana vaAroni ane maperembudzi kana ane zvinoyerera ngaarege kudya zvinhu zvitsvene kusvikira anaka. Ani naani unobata chinhu chakasvibiswa nowakafa kana munhu unobudirwa nembeu yake;
kana ani naani unobata chinhu chipi nechipi chinokambaira chingamusvibisa, kana munhu waangasvibiswa naye, uno kusanaka kupi nokupi.
Munhu unobata chinhu chipi nechipi chakadai, uchava usina kunaka kusvikira madeko; haafaniri kudya zvinhu zvitsvene asati ashambidza muviri wake nemvura.
Kana zuva ravira uchava wakanaka; pashure ungadya hake zvinhu zvitsvene; nokuti ndizvo zvokudya zvake.
Ngaarege kudya chinhu chakafa choga, kana chakaurawa nezvikara, kuti azvisvibise nazvo; ndini Jehovha.
Naizvozvo vanofanira kuchengeta zvandakaraira, kuti varege kuva nezvivi nokuda kwazvo, vafe nazvo, kana vazvishatisa; ndini Jehovha, ndinovatsaura.
Mweni ngaarege kudya chinhu chitsvene; mutorwa ugere nomupirisiti, kana muranda, ngavarege kudya chinhu chitsvene.
Asi kana mupirisiti akatenga munhu nomutengo wemari yake, iye ungazvidya; uye vose vanoberekerwa mumba make, vangadya zvokudya zvake.
Kana mwanasikana womupirisiti akawanikwa nomweni, ngaarege kudya chipiriso chinotsaurwa chezvinhu zvitsvene.
Asi kana mwanasikana womupirisiti iri chirikadzi, kana warambwa nomurume, asina vana, akadzokera kumba kwababa vake, sapausikana hwake, iye ungadya zvokudya zvababa vake; asi mweni ngaarege kuzvidya.
Kana munhu akadya chinhu chitsvene asingazivi, uchafanira kuwedzera cheshanu chacho kwachiri, kuti adzosere kumupirisiti chinhu chitsvene.
Ngavarege kushatisa zvinhu zvitsvene zvavana vaIsiraeri zvavanopa Jehovha;
kuti varege kuva nemhosva yezvivi, kana vachidya zvinhu zvavo zvitsvene; nokuti ndini Jehovha ndinovatsaura. Zvipo zvinofanira kuva zvakadini?
Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
Taura naAroni, navanakomana vake, navana vaIsiraeri vose, uti kwavari, Ani naani weimba yaIsiraeri, kana wavatorwa pakati pavaIsiraeri, unouya nechipo chake, kana chiri chemhiko, kana iri nhendo ipi neipi yokuda kwavo, chavanouya nacho kuna Jehovha, kuti chipiswe;
munofanira kuuya nomukono usina kuremara kana wemombe, kana gondohwe ramakwai, kana nhongo yembudzi, kuti mugamuchirwe.
Asi musauya nechinhu chakaremara, nokuti hamungagamuchirwi nokuda kwacho.
Ani naani unouya nechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa kuna Jehovha, chokupika nacho, kana kuti ive nhendo yokuda kwake, kana chiri chemombe kana chamakwai, chinofanira kuva chakakwana., kuti chigamuchigwe; ngachirege kuva chakaremara.
Kana chiri chinhu chakaita bofu, kana chakavhunika, kana chakakuvara, kana chinamaronda, kana chine chikwekwe, kana china pakafunuka, murege kupa Jehovha izvozvo, musapisira Jehovha izvozvo paaritari.
Kana iri nzombe duku kana gwayana zvine mitezo yakarebesa kana yakapfupika, mungauya nazvo kuti muite nhendo yokuda kwenyu, asi hazvingagamuchirwi pakuripira mhiko.
Musapa Jehovha chinhu china manhu akakuvadzwa, kana akapwanyika, kana akaputswa, kana ,akachekwa, musadaro panyika yenyu.
Musagamuchira zvakadai paruoko rwomutorwa, kuti mupe Mwari wenyu zvokudya zvakadai, nokuti zvakaipa, zvakaremara, hazvingagamuchirwi nokuda kwenyu.
Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
Kana nzombe, kana gwai, kana mbudzi zvichiberekwa, zvinofanira kugara pana mai vazvo mazuva manomwe; kubva pazuva rorusere napashure paro zvingagamuchirwa kuti zviite chipo chinopisirwa Jehovha.
Kana iri mhou kana nhunzvi, musazviuraya pamusi mumwe navana vazvo.
Kana muchibayira Jehovha chibayiro chokuvonga, munofanira kuchibayira saizvozvo kuti mugamuchirwe.
Chinofanira kudyiwa nomusi iwoyo; musasiya zvimwe kusvikira mangwana; ndini Jehovha.
Naizvozvo chengetai mirairo yangu, muiite; ndini Jehovha.
Usashatisa zita rangu dzvene; ndinoda kutsaurwa pakati pavana vaIsiraeri, ndini Jehovha, ndinokutsaurai;
ndakakubudisai panyika kuti ndive Mwari wenyu; ndini Jehovha.
23
Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, Mitambo yakatarwa naJehovha, yamunofanira kuparidzira muchiti ndidzo ungano tsvene, ndiyo mitambo yangu yakatarwa.
Mabasa ngaabatwe mazuva matanhatu; asi zuva rechinomwe iSabata rokuzorora kwazvo, iungano tsvene; musabata basa ripi neripi; iSabata raJehovha mudzimba dzenyu dzose.
Ndiyo mitambo yaJehovha yakatarwa, ndidzo ungano tsvene, dzamunofanira kuparidzira nenguva dzakatarwa:
Nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namana romwedzi, madekwana, iPasika raJehovha.
Nezuva regumi namashanu romwedzi iwoyo ndiwo mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa; munofanira kudya chingwa chisina kuviriswa mazuva manomwe.
Nomusi wokutanga munofanira kuita ungano tsvene; musabata basa ravaranda.
Asi munofanira kupa Jehovha chipiriso chinopiswa mazuva manomwe; pazuva rechinomwe munofanira kuita ungano tsvene; musabata basa ravaranda.
Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, Kana muchisvika munyika yandichakupai, mukakohwa zviyo zvayo, munofanira kuuya nechisote chezvitsva zvokukohwa kwenyu kumupirisiti,
iye anofanira kuzunguzira chisote icho pamberi paJehovha, kuti chigamuchirwe kwamuri; mupirisiti anofanira kuchizunguzira nomusi unotevera Sabata.
Nomusi wamunozunguzira chisote nawo, munofanira kuuya negwayana regondohwe risina kuremara, rine gore rimwe, chive chipiriso chinopisirwa Jehovha.
Nechipiriso chacho choupfu chinofanira kuva chezvegumi zviviri zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso chinopisirwa Jehovha chinonhuwira zvakanaka; nechipiriso chacho chinodururwa chinofanira kuva chewaini chechina chehini.
Musadya chingwa, kana zviyo zvakakangiwa, kana hura itsva, kusvikira pamusi iwoyo, kusvikira mauya nechipo chaMwari wenyu; ndiwo mutemo usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose padzimba dzenyu dzose.
Zvino munofanira kuverenga kubva pamusi unotevera Sabata, kubva pamusi wamakauya nawo nechisote chinozunguzirwa, maSabata manomwe.
Munofanira kuverenga mazuva makumi mashanu kusvikira pamusi unotevera Sabata rechinomwe; ipapo munofanira kupa Jehovha chipiriso chitsva choupfu.
Munofanira kutora kudzimba dzenyu zvingwa zviviri zvinozunguzirwa zvezvegumi zviviri zveefa; zvinofanira kuva zvoupfu hwakatsetseka, zvibikwe nembiriso, kuti zvive zvitsva kuna Jehovha.
Pamwechete nezvingwa munofanira kuuya namakwayana manomwe asina kuremara, egore rimwe, nenzombe imwe duku, namakondohwe maviri; izvozvo zvinofanira kuva chibayiro chinopisirwa Jehovha, pamwechete nechipiriso chazvo choupfu nezvipiriso zvinodururwa, chive chipiriso chinopiswa chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
Uye munofanira kubayira nhongo imwe, chive chipiriso chezvivi, namakwayana maviri, mikono yegore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa.
mupirisiti anofanira kuzvizunguzira pamwechete nezvingwa zvitsva, chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha, pamwechete namakwayana maviri iwayo; zvinofanira kuva zvitsvene kuna Jehovha zviri zvomupirisiti.
Munofanira kuparidza nomusi iwoyo kuti muve neungano itsva; hamufaniri kubata mabasa avaranda; uve mutemo usingaperi padzimba dzenyu dzose kusvikira kumarudzi enyu ose.
Kana muchikohwa gohwo reminda yenyu, rega kukohwa kwazvo micheto yomunda wako, uye usaunganidza zvawira pasi pakukohwa kwako; unofanira kuzvisiyira varombo navaeni; ndini Jehovha Mwari wenyu.
Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
Taura navana vaIsiraeri, uti, Pamwedzi wechinomwe, zuva rokutanga romwedzi rinofanira kuva kwamuri zuva rokuzorora kwazvo, rinoyeudzwa nokuridzwa kwehwamanda, ive ungano tsvene.
Musabata naro mabasa ose avaranda; munofanira kuvigira Jehovha chipiriso chinoitwa nomoto.
Jehovha wakataura naMozisi akati,
Zuva regumi romwedzi uyu wechinomwe izuva rokuyananisira; munofanira kuita naro ungano tsvene, munofanira kuchema pamweya yenyu, nokuvigira Jehovha chipiriso chinoitwa nomoto.
Nomusi uyo musabata basa ripi neripi, nokuti izuva rokuyananisirwa, kuti muyananisirwe pamberi paJehovha Mwari wenyu.
Nokuti ani naani usingachemi pamweya wake nomusi iwoyo, uchabviswa pakati porudzi rwake.
Nomunhu upi noupi unobata basa ripi neripi nomusi iwoyo, munhu uyo ndichamuparadza pakati porudzi rwake.
Musaita basa ripi neripi; mutemo usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose padzimba dzenyu dzose.
Rinofanira kuva kwamuri Sabata rokuzorora kwazvo, munofanira kuchema pamweya yenyu; munofanira kuchengeta Sabata renyu, nezuva repfumbamwe romwedzi madekwana, kubva pamadekwana kusvikira pamadekwanazve.
Jehovha wakataura naMozisi akati,
Taura navana valsiraeri uti, Nezuva regumi namashanu romwedzi uyu wechinomwe Jehovha anofanira kuitirwa mutambo womatumba mazuva manomwe.
Nomusi wokutanga kunofanira kuva neungano tsvene; musaita basa ripi neripi ravaranda.
Munofanira kuvigira Jehovha chipiriso chinoitwa nomoto mazuva manomwe; nomusi worusere munofanira kuva neungano tsvene; muvigire Jehovha chipiriso chinoitwa nomoto; izuva romutambo mukuru, musabata basa ripi neripi ravaranda.
Ndiyo mitambo yakatarwa yaJehovha, yamunofanira kuparidzira, muchiti iungano tsvene, kuti muvigire Jehovha chipiriso chinoitwa nomoto, chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu, nechibayiro, nezvipiriso zvinodururwa, chimwe nechimwe nezuva racho;
izvi ngazviitwe, kunze kwamaSabata aJehovha, nokunze kwezvipo zvenyu, nokunze kwemhiko dzenyu dzose, nokunze kwenhendo dzenyu dzose dzokuda kwenyu, dzamunopa Jehovha.
Zvino pazuva regumi namashanu romwedzi wechinomwe, kana makohwa gohwa reminda, munofanira kuita mutambo waJehovha mazuva manomwe; zuva rokutanga rinofanira kuva rokuzorora kwazvo, nezuva rorusere rinofanira kuva rokuzorora kwazvo.
Pazuva rokutanga munofanira kutora michero yemiti yakanaka, namashizha emichindwe, namatavi emiti mikobvu, nemikonachando yomurukova; munofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wenyu mazuva manomwe.
Munofanira kuitira Jehovha mutambo mazuva manomwe gore rimwe nerimwe; uve mutemo usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose; munofanira kuuita nomwedzi wechinomwe.
Munofanira kugara mumatumba mazuva manomwe; vose vakaberekerwa munyika pakati pavaIsiraeri vanofanira kugara mumatumba.
Kuti marudzi enyu azive, kuti ndakagarisa vana valsiraeri mumatumba, nguva yandakavabudisa munyika yeIjipiti; ndini Jehovha Mwari wenyu.
Ipapo Mozisi wakarondedzera kuvana vaIsiraeri mitambo yakatarwa naJehovha.
24
Jehovha wakataura naMozisi akati,
Raira vana vaIsiraeri kuti vauye kwauri namafuta akanaka amaorivhi, akaisvonaka akasviniwa omwenje, kuti avhenekese mwenje nguva dzose.
Kunze kwechidzitiro chechipupuriro, mutende rokusangana, Aroni anofanira kuigadzira kubva madekwana kusvikira mangwanani nguva dzose pamberi paJehovha; unofanira kuva mutemo usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose.
Anofanira kugadzira mwenje pachigadziko chakaisvonaka nguva dzose pamberi paJehovha.
Iwe unofanira kutora upfu hwakatsetseka, ugobika nahwo zvingwa zvine gumi nezviviri; chingwa chimwe nechimwe chinofanira kuitwa nezvegumi zviviri zveefa.
Unofanira kuzvigadzika patafura yakaisvonaka pamberi paJehovha uchiita nhurikidzwa mbiri, zvitanhatu panhurikidzwa.
Unofanira kuisawo pamusoro penhurikidzwa imwe neimwe zvinonhuwira zvakanaka, kuti chive chokurangaridza chechingwa, chive chipiriso chinopisirwa Jehovha.
Musi mumwe nomumwe weSabata unofanira kuzvirongedza pamberi paJehovha nguva dzose; ive sungano isingaperi inoitwa navana valsiraeri.
Zvinofanira kuva zvaAroni navanakomana vake; vazvidye panzvimbo tsvene, nokuti chitsvene kwazvo kwaari pakati pezvipiriso zvinopisirwa Jehovha nomutemo usingaperi. Zvivi nokurohwa kwazvo
Zvino mwanakomana womukadzi muIsiraeri, asi baba vake vaiva munhu weIjipiti, wakafamba pakati pavana vaIsiraeri, mwanakomana womukadzi muIsiraeri akarwa nomurume muIsiraeri pamisasa.
Mwanakomana womukadzi muIsiraeri akamhura zita raJehovha, akatuka, vakaenda naye kuna Mozisi. Zita ramai vake rakanga riri Sheromiti, mwanasikana waDhibhiri, worudzi rwaDhani.
Vakamuisa mutorongo, kuti vaziviswe zvinorehwa naJehovha.
Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
Budisa mutuki kunze kwemisasa; zvino vose, vakamunzwa, vanofanira kuisa maoko avo pamusoro wake, ungano yose igomutaka namabwe.
Zvino iwe utaure navana vaIsiraeri, uti, Ani naani anotuka Mwari wake anofanira kurohwa pamusoro pezvivi zvake.
Munhu unomhura zita raJehovha, zvirokwazvo anofanira kuurawa; ungano yose inofanira kumutaka namahwe, kana ari mutorwa, kana ari wakaberekerwa munyika, kana achimhura zita raJehovha unofanira kuurawa.
Munhu anorova mumwe, akafa, zvirokwazvo anofanira kuurawa;
nomunhu anorova chipfuwo, chikafa, anofanira kuchiripa; upenyu pachigaro choupenyu.
Kana munhu akamanikidza wokwake, sezvaakaita iye, anofanira kuitirwawo;
kuvhunika kuchatsibwa nokuvhunika, ziso neziso, zino nezino, sezvaakamanikidza mumwe, naiye anofanira kuitirwa saizvozvo.
Munhu unouraya chipfuwo, anofanira kuripa; anouraya munhu, anofanira kuurawa.
Munofanira kuva nomurayiro mumwe chete kumutorwa kana kunowakaberekerwa panyika; nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
Mozisi akataura navana vaIsiraeri, ivo vakabudisa mutuki kunze kwemisasa, vakamutaka namabwe. Vana vaIsiraeri vakaita sezvakarairwa naMozisi.
25
Zvino Jehovha wakataura naMozisi pagomo reSinai, akati,
Taura navana vaIsiraeri uti kwavari, Kana muchisvika munyika yandichakupai, nyika inofanira kuitira Jehovha Sabata.
Unofanira kudzvara munda wako makore matanhatu, nokugurira mizambiringa yako makore matanhatu, nokuunganidza michero yayo.
Asi pagore rechinomwe nyika inofanira kuzorora kwazvo, rive Sabata kuna Jehovha; usadzvara munda wako, kana kugurira mizambiringa yako.
Magoko ako usaakohwa, namazambiringa omuzambiringa wako usina kugurirwa usaatanha; rinofanira kuva gore rokuzorora kwazvo kwenyika.
Gohwo reSabata renyika ndizvo zvinofanira kuva zvokudya zvenyu; zvako nezvomuranda wako, nezvomurandakadzi wako, nezvomubatiri wako, nezvomutorwa wako ugere newe;
nezvezvipfuwo zvako, nezvemhuka dziri munyika yako; zvibereko zvazvo zvose zvinofanira kuva zvokudya zvazvo.
Unofanira kuverengawo maSabata manomwe amakore, manomwe akaverengwa kanomwe; kuti mazuva amaSabata manomwe amakore aite kwauri makore makumi mana namapfumbamwe.
Zvino pazuva regumi romwedzi wechinomwe unofanira kuraira kuti hwamanda iridzwe kwazvo; pazuva rokuyananisira munofanira kuraira kuti hwamanda iridzwe panyika yenyu yose.
Munofanira kutsaura gore ramakumi mashanu, mugoparidza sununguko panyika yose kuna vose vageremo; rinofanira kuva gore rejubheri kwamuri; munofanira .kudzokera mumwe nomumwe kune zvake, munofanira kudzokera mumwe nomumwe kuhama dzake.
Gore irero ramakumi mashanu rinofanira kuva rejubheri kwamuri; kusadzvara, uye musakohwa naro magoko, uye musatanha naro mazambiringa emizambiringa isina kugurirwa.
Nokuti igore rejubheri; rinofanira kuva dzvene kwamuri; munofanira kudya zvibereko zvaro paminda.
Negore iri rejubheri munofanira kudzokera mumwe nomumwe kune zvake.
Zvino kana uchitengesera wokwako chinhu, kana kutenga chinhu kwaari, musamanikidzana.
Utenge kuno wokwako uchienzanisa namakore kubva pagore rejubheri, naiye unofanira kukutengesera achienzanisa namakore akasara okukohwa.
Unofanira kuwedzera mutengo wazvo uchienzanisa nokuwanda kwamakore, uye unofanira kutapudza mutengo uchienzanisa noushoma hwamakore; nokuti iye unokutengesera nguva dzokukohwa.
Musamanikidzana, asi utye Mwari wako; nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
Naizvozvo munofanira kuita zvandakatema, nokuchengeta zvandakatonga, nokuzviita, kuti mugare munyika makachengeteka.
Nyika ichabereka zvibereko zvayo, imwi muchadya mukaguta, mukagaramo makachengeteka.
Zvino kana mukati, Tichadyei negore rechinomwe? Tarirai, hatifaniri kudzvara, hatifaniri kuunganidza zvibereko zvedu ;
ipapo ndicharaira kuti mukomborerwe neni pagore rechitanhatu, kuti rikuberekerei zvibereko zvicharingana makore matatu.
Negore rorusere muchadzvara, muchidya zvibereko zvisharu, kusvikira gore repfumbamwe, kusvikira zvibereko zvaro zvichisvika, muchadya zvisharu.
Nyika haifaniri kutengeswa chose nokusingaperi, nokuti nyika ndeyangu; nokuti muri vaeni navatorwa kwandiri.
Panyika yenyu yose munofanira kutendera kuti nyika idzikunurwe.
Kana hama yako ikava murombo, ikatengesa zvimwe zvayo, ipapo hama yako yomumba inofanira kuuya kuzodzikunura izvo zvakatengeswa nehama yako.
Kana munhu akashaiwa unozvidzikunura, akazova mufumi, akawana zvinoringana kuzvidzikunura;
unofanira kuverenga makore kubva pakutengeswa kwazvo, agodzosera kuna iye waakatengana naye zvakasara, iye ndokudzokera kune zvake;
asi kana asingagoni kuzvidzikunura, izvo zvaakatengesa zvinofanira kugara kuna iye wakazvitenga kusvikira pagore rejubheri; zvino pagore rejubheri zvinofanira kusunungurwa, iye agodzokera kune zvake.
Kana munhu akatengesa imba iri muguta rakakombwa namasvingo, ungaidzikunura gore rose raakatenga naro risati rapera; unofanira kuva nesimba rokuidzikunura gore rose.
Kana isingadzikunurwi gore rose rikapera, zvino imba iyo iri muguta rakakombwa namasvingo inofanira kusimbiswa kuti ndeyaiye wakaitenga nokusingaperi, nokumarudzi ake; haingasunungurwi negore rejubheri.
Asi dzimba dzemisha isina kukombwa namasvingo dzinofanira kuverengwa pamwechete neminda yenyika; dzingadzikunurwa, dzichasunungurwa pagore rejubheri.
Asi pamaguta avaRevhi, idzo dzimba pamaguta avo, vaRevhi vangadzidzikunura nguva ipi neipi.
Kana munhu akadzikunura kuva Revhi, imba yakatengeswa neguta rake zvinofanira kusunungurwa pagore rejubheri; nokuti dzimba mumaguta avaRevhi ndedzavo pakati pavana vaIsiraeri.
Asi minda yokuruwa rwamaguta avo haingatengeswi, nokuti ndeyavo nokusingaperi.
Kana hama yako ikava murombo, akapera simba anewe, unofanira kumubatsira, agare newe somweni kana mutorwa.
Usatora mhindu yemari kwaari kana yezvibereko kwaari, asi unofanira kutya Mwari wako, kuti hama yako igare newe.
Usamupa mari yako uchireva mhindu, kana zvokudya zvako uchireva kuwedzerwa.
Ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakubudisai munyika yeljipiti, kuti ndikupei nyika yeKanani, ndive Mwari wenyu.
Kana hama yako ikava murombo, agere newe, akazvitengesa kwauri, usamubatisa somusungwa;
ngaave somubatiri unopiwa mubayiro, kana somutorwa kwauri; ngaakubatire kusvikira pagore rejubheri.
Ipapo ngaabude hake kwauri, iye pamwechete navana vake, adzokere kuhama dzake, adzokere kuna madzibaba ake.
Nokuti ivo varanda vangu vandakabudisa munyika yeIjipiti; ngavarege kutengeswa, sezvinoitwa vasungwa.
Usamubata nehasha, asi utye Mwari wako.
Kana vari vasungwa vako, varume kana vakadzi, vauchazova navo mungazvitengera vasungwa, varume navakadzi, kumarudzi anokupoteredzai.
Mungatengawo kuvana vavatorwa vagere pakati penyu nokuvana vavo vari pakati penyu, vavakabereka panyika yenyu; ivo vangava venyu.
Muvaite nhaka yavana venyu vanokuteverai, kuti vave vavo; munofanira kutora vasungwa venyu kwavari nokuvana vaIsiraeri, mumwe ngaarege kubata mumwe nehasha.
Kana mweni kana mutorwa akafuma agere newe, asi hama yako igere naye ikava murombo, akazvitengesa kumweni kana mutorwa uyo ugere newe, kana kumwana worudzi rwomweni uyo,
kana atengeswa, ungadzikunurwa; munununa kana mukoma wake ungamudzikunura;
kana babamunini vake, kana mwanakomana wababamunini vake, ungamudzikunura, kana ani naani wehama dzake dzomumba make ungamudzikunura; kana iye akazova mufumi, ungazvidzikunura amene.
Zvino iye nomutengi wake vanofanira kuverenga makore kubva pagore raakazvitengesa naro kwaari kusvikira pagore rejubheri, mutengo waakazvitengesa nawo unofanira kuenzaniswa namakore; nguva yokugara kwake naye inofanira kuenzaniswa nenguva yomubatiri unopiwa mubayiro wake.
Kana makore mazhinji achinge asara, unofanira kudzosera mari yokudzikunurwa kwake yakaenzaniswa namakore iwayo, zvichibva pamari yaakanga atenga nayo.
Kana kuchinge kwasara makore mashoma kusvikira pagore rejubheri, unofanira kurangana naye; unofanira kudzosera mari yokudzikunurwa kwake zvichienzaniswa namakore ake.
Unofanira kugara naye gore rimwe nerimwe somubatiri unopiwa mubayiro wake; ngaarege kumubata nehasha pamberi pako.
Kana asingadzikunurwi nemitoo iyi, anofanira kusunungurwa negore rejubheri, iye navana vake pamwechete naye.
Nokuti vana vaIsiraeri varanda vangu; varanda vangu vandakabudisa panyika yeljipiti; ndini Jehovha Mwari wenyu.
26
Musazviitira zvifananidzo, kana kuzvimutsira mufananidzo wakavezwa kana shongwe yebwe; musaisa ibwe rinomufananidzo munyika yenyu kuti mupfugamirepo, nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
Munofanira kuchengeta maSabata angu, nokukudza imba yangu tsvene; ndini Jehovha.
Kana muchifamba nemitemo yangu, nokuchengeta mirairo yangu, muchiiita;
ini ndichakunisirai mvura nenguva yayo, nenyika ichabereka zvibereko zvayo, nemiti yesango ichabereka zvibereko zvayo.
Kupura kwenyu kuchasvika pakukohwa mazambiringa, nokukohwa mazambiringa kuchasvika panguva yokudzvara; muchadya zvokudya zvenyu mukaguta, nokugara munyika yenyu makachengeteka.
Ndichakupai rugare panyika, kuti muvate pasi musingavhunduswi nomunhu; zvikara ndichazvipedza panyika, nomunondo haungapfuuri nomunyika yenyu,
muchadzinga vavengi venyu, vakaparadzwa nomunondo pamberi penyu.
Vashanu venyu vachadzinga vane zana, navane zana venyu vachadzinga vane zviuru zvine gumi, vavengi venyu vachaparadzwa nomunondo pamberi penyu.
Ini ndichakurangarirai, ndichakuberekesai nokukuwanzai; ndichasimbisa sungano yangu nemi.
Muchadya zviyo zvakachengetwa nguva huru, muchafanira kubudisa zvekare kudziurira zvitsva.
Ndichagadza tabhenakeri yangu pakati penyu; mweya wangu haungakusemiyi.
Ndichafamba pakati penyu, ndichava Mwari wenyu, nemi muchava vanhu vangu.
Ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakubudisai munyika yeIjipiti, kuti murege kuva vatapwa vavo; ndakavhuna matanda ejoko renyu, ndikakufambisai makati tasa.
Asi kana musingadi kunditeerera, musingadi kuita mirairo iyi yose;
kana muchiramba mitemo yangu, kana mweya yenyu ichisema zvandakatonga, kuti murege kuda kuita mirairo yangu yose, asi muchiputsa sungano yangu,
neniwo ndichakuitirai izvi: Ndichauyisa zvinotyisa pamusoro penyu, hosha yorukosoro nefivhiri zvichaparadza meso nokuwondisa mweya yenyu; muchadzvara mbeu yenyu pasina, nokuti vavengi venyu vachazvidya.
Ndichakutongai kuti mukundwe pamberi pavavengi venyu, vanokuvengai vachava vabati venyu; muchatiza kunyange kusina munhu unokudzingai.
Zvino kunyange zvakadaro kana musingadi kunditeerera, ndichawedzera kukurovai kanomwe pamusoro pezvivi zvenyu.
Ndichaputsa kuzvikudza kwenyu pamusoro pesimba renyu, denga renyu ndichariita sesimbi, nenyika yenyu sendarira;
simba renyu richaperera pasina, nokuti nyika yenyu haingabereki zvibereko zvayo, nemiti yenyika haingabereki zvibereko zvayo.
Kana muchindiramba, musingadi kunditeerera, ndichawedzera kanomwe matambudziko pamusoro pezvivi zvenyu.
Ndichatuma zvikara zvesango pakati penyu, zvichakupedzerai vana venyu, nokuparadza zvipfuwo zvenyu, nokukutapudzai; nzira dzenyu dzichashaiwa vanhu.
Zvino kana musingadi kudzorwa neni nezvinhu izvi, asi muchindiramba,
neniwo ndichakurambai; neniwo, ini ndimene, ndichakurovai kanomwe pamusoro pezvivi zvenyu.
Ndichauyisa munondo pamusoro penyu, uchatsiva sungano yangu; muchaunganidzwa mumaguta enyu, ini ndichatuma matenda pakati penyu; muchaiswa mumaoko avavengi venyu.
Kana ndichivhuna mudonzvo wenyu wechingwa, vakadzi vane gumi vachabika chingwa muchoto chimwe, vachikudzoserai chingwa chenyu chayerwa; muchadya, asi hamungaguti.
Zvino kana musingadi naizvozvo zvose kunditeerera, asi muchindiramba,
ipapo neniwo ndichakurambai nokutsamwa kukuru; ndichakurovai kanomwe pamusoro pezvivi zvenyu.
Muchadya nyama yavanakomana venyu, nenyama yavanasikana venyu muchaidya.
Ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira, nokuputsa mifananidzo yenyu yezuva, nokukanda zvitunha zvenyu pamusoro pezvitunha zvezvifananidzo zvenyu; mweya wangu uchakusemai.
Ndichaita maguta enyu matongo, nenzvimbo dzenyu tsene ndichadziparadza handinganhuwidzi munhuwi wezvinozipa zvenyu.
Ndichaparadza nyika yenyu; vavengi venyu vachagaramo, vachashamiswa nazvo.
Ndichakurashanyai pakati pavahedheni, nokuvhomora munondo shure kwenyu; nyika yenyu ichava renje, maguta enyu achava matongo.
Zvino nyika ichafarira maSabata ayo, panguva yokuparadzwa kwayo, imwi muri munyika yavavengi venyu; panguva iyo nyika ichazorora, ichifarira maSabata ayo.
Panguva yose yokuparadzwa kwayo ichazorora nokuzorora kwayakashaiwa pamaSabata enyu, panguva yamakagaramo.
Kana vari vamwe venyu vakasara, ndichatuma kutya pamoyo yavo vari munyika yavavengi vavo; kana vachinzwa shizha richipepereka, vachatiza; vachatiza somunhu unotiza munondo, vachawa kunyange kusina munhu unovadzinga.
Vachawirana savanhu vanowa pamberi pomunondo, kusina munhu anovadzinga; hamungavi nesimba rokumira pamberi pavavengi venyu.
Muchandofira pakati pavahedheni, nenyika yavavengi venyu ichakudyai.
Vamwe venyu vakasara vachawonda muzvivi zvavo panyika yavavengi vavo; vachawonda samadzibaba avo akawonda muzvivi zvavo.
Zvino vachazvireurura zvivi zvavo nezvivi zvamadzibaba avo, nokudarika kwavakadarika nako kwandiri, uye zvavakandiramba,
neniwo ndakavaramba, ndikavaisa kunyika yavavengi vavo; zvino kana moyo yavo isina kudzingiswa ikazvininipisa, vakatenda kurohwa pamusoro pezvivi zvavo;
ipapo ndicharangarira sungano yangu naJakobho; nesungano yangu naIsaka, nesungano yangu naAbhurahamu, ndichairangarira; nyika ndichairangarirawo.
Nyika ichafanira kusiyiwa navo, kuti ifarire maSabata ayo ichaparadzwa ivo vasipo; vacharohwa pamusoro pezvivi zvavo, nokuti vakaramba zvandakanga ndatonga, mweya yavo ikasema mitemo yangu.
Kunyange zvakadaro, kana vari munyika yavavengi vavo, handingavarashi, handigavasemi, ndivaparadze chose, nokuputsa sungano yangu navo; nokuti ndini Jehovha Mwari wavo;
asi nokuda kwavo ndicharangarira sungano yangu namadziteteguru avo, vandakabudisa munyika yeIjipiti pamberi pavahedheni, kuti ndive Mwari wavo; ndini Jehovha.
Ndiyo mitemo nezvakatongwa nemirairo yakaitwa naJehovha pakati pake navana vaIsiraeri pagomo reSinai nomuromo waMozisi.
27
Jehovha wakataura naMozisi akati,
Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, Kana munhu akazvisunga nokupika kukuru, vanhu ngavave vaJehovha sezvaunotara iwe.
Kana uchitara mutengo womurume una makore ana makumi maviri kusvikira pamakumi matanhatu, kutara kwako ngakuite mashekeri makumi mashanu esirivha, uchienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene.
Kana ari mukadzi, kutara kwako ngakuite mashekeri makumi matatu esirivha.
Kana ana makore anobva pamashanu kusvikira pamakore makumi maviri, kutara kwako kwomurume ngakuite mashekeri makumi maviri, nokwomukadzi mashekeri ane gumi.
Kana anomwedzi mumwe kusvikira pamakore mashanu, kutara kwako kwomurume ngakuite mashekeri mashanu esirivha, nokutara kwako kwomukadzi ngakuite mashekeri matatu esirivha.
Kana ana makore makumi matanhatu naanopfuura, kana ari murume, kutara kwako ngakuite mashekeri ane gumi namashanu, kana ari mukadzi mashekeri ane gumi.
Kana ari murombo, asingasviki pakutara kwako, anofanira kuiswa pamberi pomupirisiti, kuti mupirisiti amutarire; mupirisiti anofanira kumutarira iye wakapika sezvaangagona kuripa.
Kana chiri chipfuwo chinopiwa Jehovha, chokutenda nacho, zvose zvacho zvinopa munhu Jehovha zvinofanira kuva zvitsvene.
Haafaniri kuzvishandura kana kutsinhanisa chakaipa nechakanaka, kana chakanaka nechakaipa; kana atsinhanisa chipfuwo nechipfuwo, icho nechakatsinhiwa, zvose zviri zviviri zvinofanira kuva zvitsvene.
Kana chiri chipfuwo chisina kunaka, chisingapiwi Jehovha chekutenda nacho, chipfuwo icho chinofanira kuiswa kumupirisiti;
zvino mupirisiti anofanira kuchitarira mutengo, kana chakanaka kana chakaipa; sezvawakachitarira iwe mupirisiti, ndizvo zvachichaita.
Zvino kana achida kuchidzikunura, anofanira kuwedzera cheshanu chacho pakutara kwako.
Kana munhu achiita imba yake tsvene, kuti ive tsvene kuna Jehovha, mupirisiti anofanira kuitarira, kana yakanaka kana yakaipa; sezvainotarirwa nomupirisiti, zvinofanira kuramba zvakadaro.
Kana iye wakaita imba yake tsvene achida kuidzikunura, anofanira kuwedzera cheshanu chemari yawakatara iwe, ipapo ichava yake.
Kana munhu akaitira Jehovha ndima yomunda wake tsvene, iwe unofanira kuitarira mutengo uchienzanisa nezvakadyarwamo; homeri imwe yebhari yakadyarwa iite mashekeri makumi mashanu esirivha.
Kana achiita munda wake mutsvene kubva pagore rejubheri, sezvawakautarira iwe, zvinofanira kuramba zvakadaro.
Asi kana achitsaura munda wake shure kwegore rejubheri, mupirisiti anofanira kumutarira mari yakaenzana namakore akasara kusvikira pagore rejubheri; zvino mari iyo inofanira kutapudzwa pakutara kwako.
Kana munhu wakatsaura munda wake achida kuudzikunura, anofanira kuwedzera cheshanu chemari yawakamutarira, ugova wake.
Kana asingadi kudzikunura munda, kana zvimwe achinge atengesa munda kuno mumwe, haungazodzikunurwi;
asi munda uyu, kana uchisunungurwa negore rejubheri, unofanira kuva mutsvene kuna Jehovha, somunda wakayeriswa; uchava womupirisiti.
Kana achitsaurira Jehovha munda waakatenga, usati uri munda wenhaka yake,
mupirisiti anofanira kumutarira mutengo sezvawakatara iwe kusvikira pagore rejubheri; zvino iye anofanira kuripa mari sezvawakatara iwe, chive chinhu chitsvene kuna Jehovha.
Pagore rejubheri munda unofanira kudzokera kumunhu waakanga atenga kwaari, kuna iye wakanga ari muridzi wenyika.
Kutara kwako kwose kunofanira kuenzaniswa neshekeri rapanzvimbo tsvene; shekeri rimwe rinoita magera maviri.
Asi mwana wemhongora pakati pezvipfuwo, uri waJehovha zvauri mwana wemhongora, ngakurege kuva nomunhu unoutsaura; kana iri nzombe, kana gwai, ndezvaJehovha.
Kana chiri chipfuwo chisina kunaka, unofanira kuchidzikunura sezvawakachitarira iwe, achiwedzerawo cheshanu chacho; kana chisingadzikunurwi, chinofanira kutengeswa sezvawakachitarira iwe.
Kunyange zvakadaro, hakune chinhu chakayeriswa, chakayerisirwa Jehovha nomunhu pazvose zvaanazvo, kana chiri chavanhu, kana zvipfuwo, kana munda wenhaka yake, chingatengeswa kana kudzikunurwa; chinhu chipi nechipi chakayeriswa, chinofanira kuva chitsvene kwazvo kuna Jehovha.
Munhu upi noupi wakayeriswa, kana ari munhu wakayeriswa kuvanhu, haangadzikunurwi; anofanira kuurawa zvirokwazvo.
Zvegumi zvose zvenyika, kana zviri zvembeu dzenyika, kana michero yemiti, ndezvaJehovha; zvitsvene kuna Jehovha.
Kana munhu achida kudzikunura chimwe pazvegumi zvake, anofanira kuwedzera kwachiri cheshanu chacho.
Zvegumi zvose zvemombe, kana zvezvipfuwo zviduku, zvose zvinopfuura napazasi petsvimbo, chegumi chinofanira kuva chitsvene kuna Jehovha.
Haafaniri kucherekedza kana chiri chakanaka kana chakaipa, kana kuchitsinhanisa nechimwe; kana achinge atsinhanisa nechimwe, zvose zviri zviviri, icho nechakatsinhiwa, zvichava zvitsvene; hazvingadzikunurwi.
Ndiyo mirairo yavana vaIsiraeri yakarairwa Mozisi naJehovha pagomo reSinai.
- License
-
CC-0
Link to license
- Citation Suggestion for this Edition
- TextGrid Repository (2025). Christos Christodoulopoulos. Leviticus (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C55B-4