1

Pakutanga Mwari akasika denga nenyika.
Nyika yakanga isina kugadzirwa, isina chinhu; rima rakanga riripo pamusoro pemvura yakadzika; Mweya waMwari wakanga uchigarira pamusoro pemvura.
Mwari akati: Chiedza ngachivepo, chiedza chikavapo.
Mwari akaona chiedza, kuti chakanaka; Mwari akaparadzanisa chiedza nerima.
Mwari akatumidza chiedza, akati Masikati, nerima akaritumidza akati Usiku. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva rimwe.
Mwari akati: Nzvimbo ngaivepo pakati pemvura, kuti iparadzanise mvura nemvura.
Mwari akaita nzvimbo, akaparadzanisa mvura yakanga iri pasi penzvimbo, nemvura yakanga iri pamusoro penzvimbo; zvikaita saizvozvo.
Mwari akatumidza nzvimbo, akati Denga. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva repiri.
Mwari akati: Mvura iri pasi pedenga ngaiungane pamwechete, kuti pasi pakaoma paonekwe; zvikaita saizvozvo.
Mwari akatumidza pasi pakaoma, akati Nyika; nemvura yakaungana akaitumidza, akati Makungwa; Mwari akaona kuti zvakanaka.
Mwari akati: Nyika ngaimerese uswa nemiriwo inobereka mbeu, nemiti inobereka michero inamarudzi ayo, mbeu dzayo dziri mukati mayo, panyika; zvikaita saizvozvo.
Nyika ikameresa uswa, nemiriwo inobereka mbeu dzina marudzi adzo, nemiti inobereka michero, mbeu dzayo dziri mukati mayo, inamarudzi ayo; Mwari akaona kuti zvakanaka.
Madeko akavapo namangwanani akavapo zuva retatu.
Mwari akati: Zviedza ngazvivepo panzvimbo yedenga, kuti zviparadzanise masikati nousiku; kuti zvive zviratidzo, nenguva, namazuva, namakore;
ngazvive zviedza panzvimbo yedenga, kuti zvivhenekere panyika; zvikaita saizvozvo.
Mwari akaita zviedza zvikuru zviviri; chiedza chikuru kuti chibate ushe masikati, nechiedza chiduku, kuti chibate ushe usiku, nenyeredziwo.
Mwari akazviisa pasi penzvimbo yedenga, kuti zvivhenekere panyika,
zvibate ushe masikati nousiku, nokuparadzanisa chiedza nerima; Mwari akaona kuti zvakanaka.
Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechina.
Mwari akati: Mvura ngaizare nezvipenyu zvizhinji, neshiri dzibhururuke pamusoro penyika munzvimbo yedenga.
Mwari akasika mhuka huru dzegungwa, nezvipenyu zvose zvinokambaira, izvo mvura yakanga izere nazvo, zvina marudzi azvo, neshiri dzose dzina mapapiro, dzina marudzi adzo; Mwari akaona kuti zvakanaka.
Mwari akazviropafadza, akati: Berekai, muwande, muzadze mvura iri mumakungwa; neshiri ngadziwande panyika.
Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva reshanu.
Mwari akati: Nyika ngaibereke zvipenyu zvina marudzi azvo, nezvipfuwo, nezvinokambaira, nemhuka dzenyika, zvina marudzi azvo; zvikaita saizvozvo.
Mwari akaita mhuka dzenyika dzina marudzi adzo, nezvipfuwo zvina marudzi azvo, nezvinhu zvose zvinokambaira panyika zvina marudzi azvo; Mwari akaona kuti zvakanaka.
Mwari akati: Ngatiite munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu; ngaave nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro penyika yose, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.
Mwari akasika munhu nomufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi.
Mwari akavaropafadza, Mwari akati kwavari: Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.
Mwari akati: Tarirai, ndakakupai miriwo yose inobereka mbeu, iri panyika yose, nemiti yose ine michero yemiti inobereka mbeu, kuti zvive zvokudya zvenyu.
Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzedenga, nezvipenyu zvose zvinokambaira panyika, zvinemweya woupenyu, ndakazvipa miriwo yose minyoro, kuti zvive zvokudya zvazvo; zvikaita saizvozvo.
Mwari akaona zvose zvaakaita, onei zvakanaka kwazvo. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva retanhatu.

2

Denga nenyika zvikapera saizvozvo, nouzhinji hwazvo.
Mwari akapedza basa rake raakaita nomusi wechinomwe; akazorora nomusi wechinomwe pabasa rake rose raakaita.
Mwari akaropafadza musi wechinomwe, akauita mutsvene; nokuti akazorora nawo pabasa rake rose, raakanga asika nokuita iye Mwari. Kusikwa kwavanhu vokutanga nokuiswa kwavo muEdheni
Ndiko kuvamba kwedenga nenyika, musi wazvakasikwa: Nezuva iroro Jehovha Mwari raakasika naro nyika nedenga,
makwenzi esango akanga achigere kuvapo panyika, nemiriwo yesango yakanga ichigere kumera; nokuti Jehovha Mwari akanga asati anaisa mvura panyika, uye kwakanga kusina munhu kuzorima pasi;
asi mhute yaisikwira ichibva panyika ichinyorevesa nyika yose.
Jehovha Mwari akaumba munhu neguruva revhu, akafuridzira mweya woupenyu mumhino dzake; munhu akava mweya mupenyu.
Jehovha Mwari akasima munda muEdheni, kumabvazuva, akaisapo munhu waakanga aumba.
Jehovha Mwari akameresa pasi miti yose inofadza meso, neyakanaka kudya; uye muti woupenyu pakati pomunda, nomuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa.
MuEdheni mukabuda rwizi kuzodiridza munda uyo, rukaparadzana ipapo, dzikaita hova ina.
Zita rorwokutanga ndiPishoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeHavhira, pane ndarama ipapo;
ndarama yenyika iyoyo yakanaka; uyewo pane dheriumu nebwe reonikisi.
Zita rorwizi rwechipiri ndiGihoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeKushi.
Zita rorwizi rwechitatu ndiHedhekeri, ndirwo runoyerera kumabvazuva kweAsiria. Rwizi rwechina ndiYufuratesi.
Jehovha Mwari akatora munhu, akamuisa mumunda weEdheni, kuti aurime nokuuchengeta.
Jehovha Mwari akaraira munhu achiti, Ungadya hako miti yose yomunda,
asi muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa usaudya; nokuti nomusi waunoudya, uchafa zvirokwazvo.
Jehovha Mwari akatizve, Hazvina kunaka kuti munhu agare ari woga; ndichamuitira mubatsiri akamukwanira.
Jehovha Mwari akaumba nevhu mhuka dzose dzesango, neshiri dzose dzedenga, akadziisa kumunhu kuti aone kuti achadzitumidza mazita api; zvipenyu zvose sezvazvakatumidzwa nomunhu, ndiwo akava mazita azvo.
Munhu akatumidza zvipfuwo zvose mazita, neshiri dzedenga, nemhuka dzose dzesango; asi kwakashaikwa mubatsiri akamukwanira iye munhu.
Ipapo Jehovha Mwari akavatisa munhu hope huru, akavata; akatora rumbabvu rwake rumwe, akadzivira nyama panzvimbo yarwo.
Norumbabvu urwo Jehovha Mwari rwaakatora pamunhu, akaita mukadzi narwo, akamuisa kumunhu.
Munhu akati, Zvino uyu ipfupa ramapfupa angu, nenyama yenyama yangu, uchatumidzwa Mukadzi, nokuti wakabviswa paMurume.
Naizvozvo munhu anofanira kusiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake, vave nyama imwe.
Vose vari vaviri vakanga vasina kusimira, munhu nomukadzi wake, asi havana kunyara.

3

Zvino nyoka yakanga ina mano kupfuura mhuka dzose dzesango dzakanga dzaitwa naJehovha Mwari. Ikati kumukadzi, Nhai, ndizvo here kuti Mwari akati, Regai kudya miti yose yomunda?
Mukadzi akati kunyoka, Tingadya hedu michero yemiti pamunda,
asi kana iri michero yomuti uri pakati pomunda, Mwari akati, Regai kuudya, kana kuubata, kuti murege kufa.
Nyoka ikati kumukadzi, Hamungafi zviro kwazvo,
nokuti Mwari anoziva kuti nomusi wamunoudya nawo, meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.
Zvino mukadzi akati achiona kuti muti wakanaka kudyiwa, uye kuti unofadza meso, uye kuti muti unodikanwa kungwadza munhu, akatora muchero yawo, akadya, akapawo murume wake, akadya naiyewo.
Ipapo meso avo, ivo vaviri, akasvinudzwa, vakaziva kuti havana kusimira; vakasonanidza mashizha omuonde, vakazviitira nguvo.
Vakanzwa inzwi raJehovha Mwari achifamba mumunda kwotonhorera madekwana, munhu nomukadzi wake ndokundohwanda pamberi paJehovha Mwari pakati pemiti yomunda.
Jehovha Mwari akadana munhu, akati kwaari, Uripiko?
Iye akati, Ndakanzwa inzwi renyu mumunda, ndikatya, nokuti ndakanga ndisina kusimira, ndikahwanda.
Iye akati, Ndianiko akakuudza kuti hauna kusimira? Wakadya kanhi muti wandakakuraira kuti urege kuudya?
Munhu akati, Mukadzi wamakandipa kuti ave neni, ndiye wakandipa zvomuti ndikadya.
Jehovha Mwari akati kumukadzi, Chiiko icho chawakaita? Mukadzi akati, Nyoka yakandinyengera, ndikadya.
Jehovha Mwari akati kunyoka, Zvawaita izvozvo, watukwa kupfuura mhuka dzose dzesango; uchafamba nedumbu rako, uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako.
Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake, irwo rwuchapwanya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo.
Kumukadzi akati, Ndichawanza zvikuru kurwadziwa kwako nokutora mimba kwako, uchabereka vana uchirwadziwa; kuda kwako kuchava kumurume wako, iye achava ishe wako.
Kumunhu akati, Zvawakateerera inzwi romukadzi wako, ukadya muti wandakakuraira ndichiti, Usaudya, zvino nyika yatukwa nemhosva yako, uchadya zvibereko zvayo nokutambudzika mazuva ose oupenyu hwako;
ichakuberekera minzwa norukato, iwe uchadya miriwo yomusango;
uchadya zvokudya zvako neziya rechiso chako kusvikira wadzokera kuvhu; nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva.
Munhu akatumidza mukadzi wake zita rinonzi Evha; nokuti ndiye mai vavapenyu vose.
Jehovha Mwari akaitira munhu nomukadzi wake nguvo dzamatehwe, akavafukidza nadzo.
Zvino Jehovha Mwari akati, Tarirai, munhu ava somumwe wedu zvaanoziva zvakanaka nezvakaipa; zvino zvimwe angatambanudza ruoko rwake akatorawo zvomuti woupenyu, akadya, akararama nokusingaperi.
Naizvozvo Jehovha Mwari akamubudisa mumunda weEdheni, kuti arime ivhu raakatorwa kwariri.
Naizvozvo akadzinga munhu, akaisa makerubhi kurutivi rwamabvazuva rwomunda weEdheni, nomurazvo womunondo waimonereka kumativi ose, kurindira nzira yomuti woupenyu.

4

Zvino Adhamu wakaziva mukadzi wake Evha; iye ndokutora mimba, akapona Kaini, akati, Ndawana munhu, ndichibatsirwa naJehovha.
Akazoponazve munununa wake Abhero. Abhero wakanga ari mufudzi wamakwai, Kaini wakanga ari murimi wevhu.
Zvino nguva yakati yapfuura, Kaini akauya nezvibereko zvevhu, chive chipo kuna Jehovha.
NaAbherowo akauya namakwayana ake ematangwe akakorawo. Jehovha ndokugamuchira Abhero nechipiriso chake;
asi Kaini nechipiriso chake haana kumugamuchira. Ipapo Kaini akatsamwa kwazvo, chiso chake chikaunyana.
Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, Watsamwireiko? Chiso chako chakaunyana nei?
Kana ukaita zvakanaka, haungafari here pachiso chako? Kana usingaiti zvakanaka, zvivi zvinokuhwandira pamusuo; zvichakutsvaka, asi iwe unofanira kuzvikunda.
Zvino Kaini wakataurirana nomunununa wake Abhero; vakati vari kusango, Kaini ndokumukira Abhero munununa wake, akamuuraya.
Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, Arikupiko Abhero, munununa wako? Iye akati, Handizivi, ndini mufudzi womunununa wangu here?
Akati, Waiteiko? Inzwi reropa romunununa wako rinodaidzira kwandiri panyika.
Zvino watukwa, wadzingwa panyika, iyo yakashamisa muromo wayo kugamuchira ropa romunununa wako paruoko rwako;
kana uchirima ivhu, haringakupi simba raro; uchava mutizi nomudzungairi panyika.
Ipapo Kaini akati kuna Jehovha, Kurohwa kwangu kukuru, handingakutakuri.
Tarirai, mandidzinga nhasi panyika ino, ndichavanda pamberi penyu; ndichava mutizi nomudzungairi panyika; ani naani anondiwana achandiuraya.
Jehovha akati kwaari, Naizvozvo ani naani anouraya Kaini achatsiviwa kanomwe. Jehovha ndokuisira Kaini chiratidzo, kuti munhu anozomuwana arege kumuuraya.
Ipapo Kaini wakabva pamberi paJehovha, akandogara panyika yeNodhi, kumabvazuva kweEdheni. Vana vaKaini
Kaini akaziva mukadzi wake, akatora mimba, akapona Enoki; akavaka guta, akatumidza guta zita romwanakomana wake Enoki.
Enoki akaberekerwa Iradhi; Iradhi akabereka Mehujaeri; Mehujaeri akabereka Metushaeri; Metushaeri akabereka Rameki;
Rameki akawana vakadzi vaviri, zita romumwe rainzi Adha, zita romumwe rainzi Zira.
Adha akapona Jabhari; iye waiva baba vavanhu vanogara mumatende vane zvipfuwo.
Zita romunununa wake raiva Jubhari; iye waiva baba vavose vanoridza mbira nenyere.
Zira wakapona Tubharikaini, mupfuri wenhumbi dzose dzendarira nedare; hanzvadzi yaTubharikaini waiva Naama.
Rameki akati kuvakadzi vake; Adha naZira, inzwai inzwi rangu, imwi vakadzi vaRameki, teererai zvandinotaura; Nokuti ndinouraya munhu unondikuvadza, Nejaya rinondipwanya;
Kana Kaini achitsiviwa kanomwe; Zvirokwazvo Rameki kana makumi manomwe nenomwe.
Adhamu akazivazve mukadzi wake, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Seti; nokuti wakati, Mwari wandipa mumwe mwana pachigaro chaAbhero, zvaakaurawa naKaini.
NaSeti wakaberekerwa mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Enoshi. Nenguva iyo vanhu vakatanga kudana zita raJehovha.

5

Ndirori bhuku ramarudzi aAdhamu. Musi waakasika munhu, Mwari wakamuita nomufananidzo waMwari;
wakavasika murume nomukadzi; akavaropafadza, akavatumidza zita rinonzi Munhu, musi wavakasikwa.
Adhamu wakagara makore ane zana namakumi matatu, akabereka mwanakomana wakafanana naye, wakamutodza; akamutumidza zita rinonzi Seti.
Mazuva aAdhamu shure kwokuberekwa kwaSeti akanga ari makore ana mazana masere; akabereka vanakomana navanasikana.
Mazuva ose oupenyu hwaAdhamu akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe namakumi matatu, akafa.
Seti wakagara makore ane zana namashanu, akabereka Enoshi;
Seti akagara makore ana mazana masere namanomwe shure kwokuberekwa kwaEnoshi, akabereka vanakomana navanasikana;
mazuva ose aSeti akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe negumi namaviri, akafa.
Enoshi wakagara makore makumi mapfumbamwe, akabereka Kenani;
shure kwokuberekwa kwaKenani Enoshi akagara makore ana mazana masere negumi namashanu; akabereka vanakomana navanasikana;
mazuva ose aEnoshi akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe namashanu, akafa.
Kenani wakagara makore makumi manomwe, akabereka Maharareri;
shure kwokuberekwa kwaMaharareri Kenani wakagara makore ana mazana masere namakumi mana; akabereka vanakomana navanasikana.
Mazuva ose aKenani akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe negumi, akafa.
Maharareri wakagara makore makumi matanhatu namashanu, akabereka Jaredhi;
shure kwokuberekwa kwaJaredhi, Maharareri akagara makore ana mazana masere namakumi matatu, akabereka vanakomana navanasikana;
mazuva ose aMaharareri akanga ari makore ana mazana masere namakumi mapfumbamwe namashanu, akafa.
Jaredhi wakagara makore ane zana namakumi matanhatu namaviri, akabereka Enoki;
shure kwokuberekwa kwaEnoki Jaredhi akagara makore ana mazana masere; akabereka vanakomana navanasikana;
mazuva ose aJaredhi akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namaviri, akafa.
Enoki wakagara makore makumi matanhatu namashanu, akabereka Metusera;
shure kwokuberekwa kwaMetusera, Enoki wakafamba naMwari makore ana mazana matatu; akabereka vanakomana navanasikana.
Mazuva ose aEnoki akanga ari makore ana mazana matatu namakumi matanhatu namashanu.
Enoki akafamba naMwari, akasazovapo, nokuti Mwari wakamutora.
Metusera wakagara makore ane zana namakumi masere namanomwe, akabereka Rameki;
shure kwokuberekwa kwaRameki, Metusera akagara makore ana mazana manomwe namakumi masere namaviri; akabereka vanakomana navanasikana.
Mazuva ose aMetusera akanga ari makore ana mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namapfumbamwe, akafa.
Rameki wakagara makore ane zana namakumi masere namaviri; akabereka mwanakomana;
akamutumidza zita rinonzi Noa, achiti, Uyu achativaraidza pabasa redu napakutambudzika kwamaoko edu, zvinobva panyika yakatukwa naJehovha.
Shure kwokuberekwa kwaNoa, Rameki akagara makore ana mazana mashanu namakumi mapfumbamwe namashanu; akabereka vanakomana navanasikana.
Mazuva ose aRameki akanga ari makore ana mazana manomwe namakumi manomwe namanomwe, akafa.
Noa wakanga ana makore ana mazana mashanu; Noa akabereka Shemu, naHamu, naJafeti.

6

Zvino vanhu vakati votanga kuwanda panyika, vachiberekerwa vanasikana,
vanakomana vaMwari vakaona vakunda vavanhu kuti vakanaka, vakazvisarudzira pakati pavose vavakada kuva vakadzi vavo.
Ipapo Jehovha akati, Mweya wangu haungarambi uchigara mumunhu nokusingaperi, zvaari wenyamawo hake; naizvozvo mazuva ake achava makore ane zana namakumi maviri.
Panguva iyo kwakanga kuna vanhu varefu kwazvo panyika, napashurewo, kana vanakomana vaMwari vakapinda kuvanasikana vavanhu, ivo vakavaberekera vana. Ndivo vaiva vanhu vane simba vakare, vakanga vakakurumbira.
Zvino Jehovha wakaona kuti kuipa kwavanhu kwakanga kuri kukuru panyika, nendangariro dzokufunga kwemoyo yavo dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose.
Jehovha akazvidemba pamusoro pokuita kwake vanhu panyika, akava neshungu pamoyo pake.
Jehovha akati, Ndichaparadza vanhu vandakasika ndivabvise panyika vanhu, nemhuka, nezvinokambaira, neshiri dzedenga; nokuti ndinozvidemba kuti ndakazviita.
Asi Noa wakawana tsitsi pamberi paJehovha.
Marudzi aNoa ndiwo: Noa wakanga ari munhu wakarurama, asina mhosva mumarudzi ake; Noa wakafamba naMwari.
Noa akabereka vanakomana vatatu, vaiti: Shemu, naHamu, naJafeti.
Nyika yakanga yakaora pamberi paMwari, nyika yakanga izere nokumanikidzana.
Mwari akaona nyika kuti yakaora; nokuti vanhu vose vakanga vaodza mufambiro wavo panyika.
Ipapo Mwari wakati kuna Noa, Kupera kwavanhu vose kwasvika pamberi pangu; nokuti vakazadza nyika nokumanikidzana; tarira, ndichavauraya pamwechete nenyika.
Uzviitire areka nomuti wemugoferi; uite makamuri muareka, uinamire nechomukati nechokunze nenamo.
Unofanira kuiita kudai: Kureba kweareka ngakuve makubhiti ana mazana matatu, nokufara kwayo makubhiti makumi mashanu, nokukwirira kwayo makubhiti makumi matatu.
Usiye buri paareka; uripedze kana kwasara kubhiti rimwe kubva kumusoro; nomusuo weareka uuise parutivi rwayo; uiite ine dzimba nhatu, mupanda wokutanga, nowechipiri, nowechitatu.
Tarira, ini ndinouyisa panyika mvura zhinji, kuti iparadze zvipenyu zvose, zvinomweya woupenyu, pasi pedenga; zvose zviri panyika zvichafa.
Asi ndichaita sungano yangu newe; unofanira kupinda muareka, iwe navanakomana vako, nomukadzi wako, navakadzi vavanakomana vako pamwechete newe.
Napazvipenyu zvose zvenyama uise muareka zviviri zviviri zvamarudzi ose, kuti zvirarame pamwechete newe; ngazvive mukono nehadzi.
Shiri namarudzi adzo, nezvipfuwo namarudzi azvo, nezvinokambaira pasi zvose namarudzi azvo, zvichauya kwauri zviviri zviviri zvamarudzi ose, kuti zviraramiswe.
Iwe utore marudzi ose ezvokudya zvose zvinodyiwa, uzviunganidzire kwauri; kuti zvive zvokudya zvako nezvazvo.
Noa akaita saizvozvo; sezvaakarairwa naMwari, wakaita zvose saizvozvo.

7

Zvino Jehovha wakati kuna Noa, Pindai muareka, iwe nemhuri yako yose; nokuti ndakuona iwe kuti wakarurama pamberi pangu parudzi urwu.
Pamhuka dzose dzakanaka utore nomwe nomwe, mukono nehadzi yayo; napamhuka dzose dzisina kunaka utore mbiri mbiri, mukono nehadzi yayo;
napashiri dzedenga utore nomwe nomwe, jongwe nemhambo, kuti uraramise marudzi ose ari panyika.
Nokuti kwasara mazuva manomwe, ipapo ndichanaisa mvura panyika mazuva ana makumi mana nousiku hunamakumi mana; zvipenyu zvose zvandakaita ndichazviparadza panyika.
Noa akaita zvose sezvaakarairwa naJehovha.
Noa wakanga ava namakore ana mazana matanhatu panguva yokuuya kwemvura zhinji panyika.
Ipapo Noa wakapinda muareka, navanakomana vake, nomukadzi wake, navakadzi vavanakomana vake, nokuda kwemvura zhinji.
Pamhuka dzakanaka, napamhuka dzisina kunaka, neshiri, nezvose zvinokambaira panyika,
zvakapinda kuna Noa muareka zviviri zviviri, mukono nehadzi, Mwari sezvaakaraira Noa.
Mazuva manomwe akati apfuura, mvura zhinji ikavapo panyika.
Pagore ramazana matanhatu roupenyu hwaNoa, nomwedzi wechipiri, nezuva regumi namanomwe romwedzi, nezuva iroro matsime ose apakadzikadzika akadziurwa, namahwindo edenga akazarurwa;
mvura zhinji ikanaya panyika mazuva ana makumi mana nousiku hunamakumi mana.
Nomusi iwoyo Noa wakapinda muareka, naShemu, naHamu, naJafeti, vanakomana vaNoa, nomukadzi waNoa, navakadzi vatatu vavanakomana vake pamwechete naye;
ivo, nemhuka dzose namarudzi adzo, nezvipfuwo zvose namarudzi azvo, nezvinokambaira zvose zvinokambaira panyika namarudzi azvo, nezvinobhururuka zvose namarudzi azvo, neshiri dzose dzamarudzi ose.
Zvakapinda kuna Noa muareka, zviviri zviviri zvezvipenyu zvose zvinomweya woupenyu.
Zvose, zvakapinda, zvakapinda zvichiita mukono nehadzi, zvose zvipenyu, sezvaakarairwa naMwari, Jehovha akamuzaririra mukati.
Mvura zhinji ikavapo panyika mazuva ana makumi mana; mvura ikawanda, ikasimudza areka, ikakwiridzirwa pamusoro penyika.
Mvura ikakwirira, ikawanda kwazvo panyika, areka ikafamba pamusoro pemvura.
Mvura ikakwirira kwazvo kwazvo panyika, makomo marefu ose pasi pedenga rose akafukidzwa.
Mvura ikakwirira kusvikira pamakubhiti ane gumi namashanu pamusoro pawo; makomo akafukidzwa.
Zvipenyu zvose zvaifamba panyika zvikafa, zvaiti, shiri, nezvipfuwo, nemhuka, nezvinokambaira, zvose zvaikambaira panyika, navanhu vose;
zvinhu zvose zvakanga zviine kufema kwomweya woupenyu mumhino dzazvo, zvose zvakanga zviri pakaoma pasi, zvikafa.
Zvipenyu zvose, zvakanga zviri pasi pose, zvikaparadzwa, zvaiti, vanhu, nezvipfuwo, nezvinokambaira, neshiri dzedenga; zvikaparadzwa panyika; Noa oga akasara, nezvakanga zviri muareka naye.
Mvura ikaramba yakakwirira panyika mazuva ane zana namakumi mashanu.

8

Zvino Mwari wakarangarira Noa nezvipenyu zvose, nezvipfuwo zvose zvakanga zviri muareka naye; Mwari akafambisa mhepo panyika, mvura ikaserera,
namatsime apakadzika namahwindo edenga akazarirwa, nemvura yakabva kudenga ikadziviswa,
mvura ikaramba ichidzoka panyika; mazuva ane zana namakumi mashanu akati apfuura, mvura ikaderera.
Nomwedzi wechinomwe, nezuva regumi namanomwe romwedzi, areka ikamira pamusoro pamakomo eArarati.
Mvura ikaramba ichiderera kusvikira pamwedzi wegumi; nomwedzi wegumi, nezuva rokutanga romwedzi misoro yamakomo ikaonekwa.
Mazuva ana makumi mana akati apfuura, Noa akazarura hwindo reareka raakanga aita;
akabudisa gunguvo, iro rikaramba richibhururuka-bhururuka kusvikira mvura yapwa panyika.
Ipapo akabhururutsa njiva paakanga ari, kuti aone kana mvura yaserera panyika;
asi njiva haina kuwana pokuzorodza rutsoka rwayo, ikadzokera kwaari kuareka, nokuti mvura yakanga iri pamusoro penyika yose; akatambanudza ruoko rwake, akaitora, akaipinza kwaari muareka.
Ipapo akagara mamwe mazuva manomwezve, akabudisazve njiva paareka;
njiva ikapinda kwaari madekwana; onei mumuromo mayo makanga muine rushizha rwomuorivhi rwakatanhwa; naizvozvo Noa wakaziva kuti mvura yakanga yaserera panyika.
Akagarazve mazuva manomwe, akabudisazve njiva; iyo haina kudzokerazve kwaari.
Pagore ramazana matanhatu nerimwe, pamwedzi wokutanga, nomusi wokutanga womwedzi, mvura yakanga yapwa panyika; ipapo Noa akabvisa denga reareka, akatarira, onei pasi pose paoma.
Nomwedzi wechipiri, nezuva ramakumi maviri namanomwe romwedzi, nyika yakanga yaoma.
Zvino Mwari wakataura naNoa akati,
Budai muareka, iwe, nomukadzi wako, navanakomana vako, navakadzi vavanakomana vako, pamwechete newe.
Budisawo pamwechete newe zvipenyu zvose zvenyama zvinewe, zvinoti, shiri, nezvipfuwo, nezvinokambaira zvose, nezvinokambaira panyika, kuti zviwande panyika, zvibereke, zvive zvizhinji panyika.
Ipapo Noa akabuda, iye navanakomana vake, nomukadzi wake, navakadzi vavanakomana vake pamwechete naye;
nemhuka dzose, nezvinokambaira zvose, neshiri dzose, nezvose zvinofamba panyika, namarudzi azvo, zvakabuda paareka.
Noa akavakira Jehovha aritari, akatora dzimwe pamhuka dzose dzakanaka neshiri dzose dzakanaka, akapisira zvipiriso zvinopiswa paatari.
Jehovha akanzwa kunhuwira kwakanaka, Jehovha akati mumoyo make, Handichazotukizve nyika nokuda kwomunhu; nokuti kufunga kwomoyo womunhu kwakaipa kubva pauduku hwake; handichazorovizve zvipenyu zvose, sezvandakaita.
Nguva yose yenyika kudzvara nokucheka, kutonhora nokudziya, zhizha nechando, masikati nousiku hazvingagumi.

9

Zvino Mwari akaropafadza Noa navanakomana vake, akati kwavari, Berekai, muwande, muzadze nyika.
Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzedenga, dzichakutyai nokukuvhundukai; zvose zvinokambaira pasi, nehove dzose dzegungwa, zvinoiswa pamaoko enyu.
Zvose zvinofamba zvipenyu zvichava zvokudya zvenyu; ndinokupai zvose, sezvandakakupai miriwo mitema.
Asi nyama, kana inoupenyu hwayo, iro ropa rayo, musaidya iyo.
Zvirokwazvo ropa renyu, roupenyu hwenyu, ndicharitsiva; ndicharitsiva pazvipenyu zvose, ndichatsiva upenyu hwomunhu paruoko rwomunhu naparuoko rwehama yomunhu.
Ani naani anoteura ropa romunhu, ropa rake richateurwawo nomunhu; nokuti Mwari akaita munhu nomufananidzo wake.
As imwi berekai, muwande, berekai zvikuru panyika, muwande mukati mayo.
Zvino Mwari akataura naNoa navanakomana vake vakanga vanaye, akati,
Tarirai, ini ndinoita sungano yangu nemi navana venyu vanokuteverai;
nezvipenyu zvose zvinemi, zvinoti, shiri, nezvipfuwo, nemhuka dzose dzenyika dzinemi; zvose zvinobuda paareka, idzo mhuka dzose dzapanyika.
Ndichaita sungano yangu nemi; zvose zvenyama hazvingazopedzwizve nemvura zhinji: mvura zhinji haingazovepozve kuti iparadze nyika.
Ipapo Mwari akati, Ndicho chiratidzo chesungano yandinoita pakati pangu nemi nezvipenyu zvose zvinemi kusvikira kumarudzi asingaperi.
Ndinoisa muraraungu wangu mugore, kuti chive chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika.
Zvino ndichati kana ndikauyisa gore pamusoro penyika, muraraungu uyu ukaonekwa mugore,
ndicharangarira sungano yangu iri pakati pangu nemi, napakati pezvipenyu zvose zvenyama, mvura haichazovi zhinjizve kuti iparadze zvose zvenyama.
Muraraungu uchavapo mugore; ndichautarira, kuti ndirangarire sungano isingaperi pakati paMwari nezvipenyu zvose zvenyama zviri panyika.
Mwari akati kuna Noa, Ndicho chiratidzo chesungano yandakaita pakati pangu nezvose zvenyama zviri panyika. Vanakomana vaNoa
Vanakomana vaNoa vakabuda muareka ndivava: Shemu, naHamu, naJafeti; Hamu ndiye baba vaKenani.
Ndivava vakanga vari vanakomana vaNoa; nyika yose yakazadzwa navo. Kutadza kwaNoa nokutukwa kwaKenani
Noa akatanga kuva murimi, akarima munda womuzambiringa;
akanwa waini, akabatwa, akazvifukura mutende rake.
Zvino Hamu, baba vaKenani, akaona kusasimira kwababa vake, akazivisa vakuru vake vaviri.
Ipapo Shemu naJafeti vakatora nguvo, vakaiisa pamafudzi avo, vakaenda manhenda shure, vakafukidzira kusasimira kwababa vavo; zviso zvavo zvakanga zvakatarira shure, vakasaona kusasimira kwababa vavo.
Zvino Noa akapengenuka pawaini yake, akaziva zvaakaitirwa nomwanakomana wake muduku,
akati, Kenani ngaatukwe; achava muranda wavaranda kuvakuru vake.
Akati, Jehovha Mwari waShemu ngaakudzwe, Kenani ngaave muranda wake.
Mwari ngaakurise Jafeti, ngaagare mumatende aShemu, Kenani ngaave muranda wake.
Noa akagara shure kwemvura zhinji makore ana mazana matatu namakumi mashanu.
Mazuva ose Nloa akanga ari mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu, akafa.

10

Ndiwo marudzi avanakomana vaNoa, naShemu, naHamu, naJafeti; ivo vakaberekerwa vana shure kwemvura zhinji.
Vanakomana vaJafeti ndivo: Gomeru, naMagogi, naMadhai, naJavhani, naTubhari, naMisheki, naTirasi.
Vanakomana vaGomeru ndivo: Ashikenazi, naRifati, naTogarima.
Vanakomana vaJavhani ndivo: Erisha, naTashisi, naKitimi, naDhodhanimu.
Kwavari kwakabva vanhu vezvivi zvakapararira. Ndivo vanakomana vaJafeti munyika dzavo, mumwe nomumwe norurimi rwake, nemhuri dzavo, nendudzi dzavo.
Vanakomana vaHamu ndivo: Kushi, naMiziraimu, naPuti, naKenani.
Vanakomana vaKushi ndivo: Sebha, naHavhira, naSabhata, naRama, naSabhuteka; navanakomana vaRama ndivo: Shebha naDhedhani.
Kushi akabereka Nimurodhi, ndiye akatanga kuva nesimba panyika.
Akanga ari mudzimba mukuru pamberi paJehovha; naizvozvo vanoti, SaNimurodhi, mudzimba mukuru pamberi paJehovha.
Ushe hwake hwakatanga paBhabheri, neEreki, neAkadhi, neKarine, panyika yeShinari.
Akabuda kunyika iyo, akaenda Asiria, akavaka Ninivhe neRohobhoti-iri, neKara,
neReseni, pakati peNinivhe neKara (iri iguta guru).
Miziraimu akabereka vaRudhi, navaAnami, navaRehabhi, navaNafituhimu,
navaPaturusi navaKasiruhi, (vaFirisitia vakabva kwavari), navaKafutori.
Kenani akabereka Sidhoni, dangwe rake, naHeti;
navaJebhusi, navaAmori, navaGirigashi;
navaHivhi, navaAriki, navaSini,
navaArivhadhi, navaZemari, navaHamati. Shure kwaivava mhuri dzavaKenani dzakapararira.
Muganhu wavaKenani wakatanga paSidhoni, ukaenda Gerari, ukasvika Gaza, ukaenda Sodhomu, neGomora, neAdhamu, neZibhoimu, ukasvika paRasha.
Ndivo vanakomana vaHamu, mhuri dzavo, nendimi dzavo, munyika dzavo, nendudzi dzavo.
Naiye Shemu, baba vavana vose vaEbheru, mukuru waJafeti, akaberekerwa vana.
Vanakomana vaShemu ndivo: Eramu, naAsheri, naAripakishadhi, naRudhi, naAramu.
Vanakomana vaAramu ndivo: Uzi, naHuri, naGeteri, naMashi.
Aripakishadhi akabereka Shera, Shera akabereka Ebheru.
Ebheru akaberekerwa vanakomana vaviri, zita romumwe rakanga riri Peregi, nokuti pamazuva ake nyika yakakamurwa; zita romunununa wake rakanga riri Jokitani.
Jokitani akabereka Arimodhadhi, naSherefi, naHazarimavheti, naJera;
naHadhoramu, naUsari, naDhikira;
naObhari, naAbhimaeri, naShebha;
naOfiri, naHavhira, naJobhabhu; ava vose vaiva vanakomana vaJokitani.
Kwavakagara ndiko: kubva paMesha, kuenda Sefari, kugomo rokumabvazuva.
Ndivo vanakomana vaShemu, mhuri dzavo, nendimi dzavo, munyika dzavo, nendudzi dzavo.
Ndidzo mhuri dzavanakomana vaNoa, nedzimba dzavo, nendudzi dzavo; kwavari kwakabva ndudzi dzose dzakapararira, shure kwemvura zhinji.

11

Nyika yose yakanga ino rurimi rumwe nokutaura kumwe.
Zvino vakati vachitamira mabvazuva, vakawana bani munyika yeShinari, vakagarako.
Vakataurirana, vachiti, Uyai, ngatiite zvidhina, tizvipise kwazvo. Zvidhina zvakava mabwe avo, nebitumini rakava dope ravo.
Vakati, Uyai, ngatizvivakire guta, norusvingo, runomusoro unosvikira kudenga; tizvimutsire mukurumbira, kuti tirege kupararira panyika yose.
Ipapo Jehovha wakaburuka kuzotarira guta norusvingo, rwakanga ruchivakwa navanakomana vavanhu.
Jehovha akati, Tarirai, vanhu ava ndivamwe, vanorurimi rumwe vose; zvino ndizvo zvavanotanga kuita; zvino hakuchina chinhu chavangada kuita chavangadziviswa.
Hendei, tiburuke, tinopesanisa rurimi rwavo ipapo, kuti varege kunzwana kana votaurirana.
Jehovha akavaparadzira ipapo, vakapararira panyika yose, vakarega kuvaka guta ravo.
Naizvozvo vakaritumidza Bhabheri, nokuti ipapo Jehovha wakapesanisa rurimi rwenyika yose; Jehovha akavaparadzira ipapo, vakaenda kunyika dzose. Vanakomana vaShemu
Ndiwo marudzi aShemu. Shemu wakanga ana makore ane zana, akabereka Aripakishadhi, mvura zhinji yapfuura makore maviri;
wakati abereka Aripakishadhi, Shemu akagara makore ana mazana mashanu; akabereka vanakomana navanasikana.
Aripakishadhi wakagara makore ana makumi matatu namashanu, akabereka Shera;
wakati abereka Shera, Aripakishadhi akagara makore ana mazana mana namatatu, akabereka vanakomana navanasikana.
Shera wakagara makore ana makumi matatu, akabereka Ebheru.
Wakati abereka Ebheru, Shera akagara makore ana mazana mana namatatu; akabereka vanakomana navanasikana.
Ebheru wakagara makore ana makumi matatu namana, akabereka Peregi,
wakati abereka Peregi, Ebheru akagara makore ana mazana mana namakumi matatu, akabereka vanakomana navanasikana.
Peregi wakagara makore ana makumi matatu, akabereka Rehu;
wakati abereka Rehu, Peregi akagara makore ana mazana maviri namapfumbamwe, akabereka vanakomana navanasikana.
Rehu wakagara makore ana makumi matatu namaviri, akabereka Serugu;
wakati abereka Serugu, Rehu akagara makore ana mazana maviri namanomwe; akabereka vanakomana navanasikana.
Serugu wakagara makore ana makumi matatu, akabereka Nahori;
wakati abereka Nahori, Serugu akagara makore ana mazana maviri, akabereka vanakomana navanasikana.
Nahori wakagara makore ana makumi maviri namapfumbamwe, akabereka Tera;
Nahori akagara makore ane zana negumi namapfumbamwe, akabereka vanakomana navanasikana.
Tera wakagara makore ana makumi manomwe, akabereka Abhuramu naNahori, naHarani.
Ndiwo marudzi aTera; Tera wakabereka Abhuramu, naNahori, naHarani; Harani akabereka Roti;
Harani akafa, baba vake Tera vachiri vapenyu, panyika yokuberekwa kwake, paUri yavaKaradhea.
Abhuramu naNahori vakazviwanira vakadzi; zita romukadzi waAbhuramu rainzi Sarai; zita romukadzi waNahori rainzi Mirika, mukunda waHarani, baba vaMirika, nababa vaIsika.
Sarai wakanga asingabereki, wakanga asina mwana.
Zvino Tera wakatora mwanakomana wake Abhuramu, naRoti, mwanakomana waHarani, mwanakomana womwanakomana wake, naSarai, mukadzi womwanakomana wake Abhuramu; vakatama navo vakabva Uri yavaKaradhea, kuti vaende kunyika yeKenani, vakasvika Harani, vakagarapo.
Mazuva aTera akanga ari makore ana mazana maviri namashanu; Tera akafira Harani.

12

Zvino Jehovha wakati kunaAbhuramu, Ibva panyika yako, nokuhama dzako, nokuimba yababa vako, uende kunyika yandichakuratidza iyo;
ndichakuita rudzi rukuru, ndichakuropafadza, ndichakudza zita rako, iwe uropafadze vamwe.
Ndicharopafadza ivo vanokuropafadza; unokutuka, ndichamutukawo; marudzi ose enyika acharopafadzwa mauri.
Naizvozvo Abhuramu wakaenda sezvaakaudzwa naJehovha; naRoti wakaenda naye. Abhuramu wakanga ana makore ana makumi manomwe namashanu pakubva kwake Harani.
Abhuramu akatora Sarai, mukadzi wake, naRoti, mwanakomana womunununa wake, nefuma yavo yose yavakanga vaunganidza, navana vavakanga vabereka paHarani, vakabuda kuenda kunyika yeKenani; vakandosvika kunyika yeKenani.
Abhuramu akagura nenyika iyo akasvika panzvimbo inonzi Shekemu, pamuti womuouki weMore; nguva iyo vaKenani vakanga vari munyika iyo.
Zvino Jehovha wakazviratidza kuna Abhuramu, akati, Ndichapa vana vako nyika iyi; akavakira Jehovha aritari ipapo, iye wakanga azviratidza kwaari.
Akabva ipapo, akaenda kugomo riri kumabvazuva aBheteri, akadzikapo tende rake; Bheteri rakanga riri kumavirazuva neAi kumabvazuva; akavakirapo Jehovha aritari, akanamata Zita raJehovha ipapo.
Kubva ipapo Abhuramu wakaramba achitamira kumavirazuva. Abhuramu anotamira Ijipiti
Zvino nzara yakanga iripo panyika iyo; Abhuramu ndokuburukira Ijipiti kundogarako; nokuti nzara yakanga iri huru panyika iyo.
Zvino wakati oda kupinda Ijipiti, akati kuna Sarai, mukadzi wake, Tarira, ndinoziva kuti uri mukadzi wakanaka pachiso chako;
kana vaIjipiti vachikuona, vachati, Ndiye mukadzi wake, vachandiuraya, asi iwe vachakurega uri mupenyu.
Uti hako uri hanzvadzi yangu, kuti ndiitirwe zvakanaka nokuda kwako, kuti mweya wangu urarame nokuda kwako.
Zvino Abhuramu achisvika Ijipiti, valjipiti vakaona mukadzi kuti wakanaka kwazvo.
Namachinda aFarao akamuonawo, vakandomurumbidza kuna Farao; mukadzi akatorwa, akaiswa mumba maFarao.
Akaitira Abhuramu zvakanaka nokuda kwake; waiva namakwai, nemombe, namakono emadhongi, navaranda, navarandakadzi, namadhongi echikadzi, namakamera.
Asi Jehovha wakatambudza Farao neveimba yake namatambudziko makuru nokuda kwaSarai, mukadzi waAbhuramu.
Zvino Farao wakadana Abhuramu akati, Chiiko ichi chawakandiitira? Wakaregereiko kundizivisa kuti mukadzi wako.
Wakarevereiko uchiti, Ihanzvadzi yangu? Naizvozvo ndakamutora kuti ave mukadzi wangu; naizvozvo zvino hoyu mukadzi wako, mutore, uende hako.
Zvino Farao akaraira vamwe varume pamusoro pake, vakamuperekedza iye nomukadzi wake nezvose zvaakanga anazvo.

13

Zvino Abhuramu wakakwira, akabva Ijipiti, iye nomukadzi wake, nezvose zvaakanga anazvo, naRotiwo anaye; vakaenda kurutivi rwenyasi.
Abhuramu wakanga akafuma kwazvo mombe, nesirivha, nendarama.
Akafamba nzendo dzake achibva nyasi kusvikira paBheteri, kunzvimbo iya kwaiva netende rake pakutanga, pakati peBheteri neAi;
kunzvimbo yearitari, yaakanga aitapo pakutanga; Abhuramu akanamata zita raJehovha ipapo.
NaRoti, iye wakaenda naAbhuramu, wakanga aine makwai, nemombe, namatende.
Nyika ikasavaringana, kuti vagare panzvimbo imwe; nokuti fuma yavo yakanga iri zhinji; vakasagona kugara panzvimbo imwe.
Vafudzi vezvipfuwo zvaAbhuramu navafudzi vezvipfuwo zvaRoti vakaita nharo; vaKenani navaPerezi vakanga vagere panyika iyo.
Ipapo Abhuramu akati kuna Roti, Nharo ngadzirege kuvapo pakati pangu newe, napakati pavafudzi vangu navafudzi vako, nokuti tiri hama.
Ko nyika yose haizi pamberi pako here? Paradzana hako neni; kana iwe ukaenda kuruboshwe, ini ndichaenda kurudyi; kana iwe ukaenda kurudyi ini ndichaenda kuruboshwe.
Roti akasimudzira meso ake, akaona bani rose reJorodhani, kuti rakanga riine mvura pose, Jehovha achigere kuparadza Sodhomu neGomora; rakanga rakaita somunda waJehovha, senyika yeIjipiti, kana munhu achienda Zoari.
Roti akazvitsaurira bani rose reJorodhani; Roti akaenda kurutivi rwamabvazuva; vakaparadzana havo.
Abhuramu akagara panyika yeKenani, Roti akagara pamaguta aiva kubani, akaswededzera tende rake kusvikira paSodhomu.
Zvino varume veSodhomu vakanga vakaipa, vaitadzira Jehovha kwazvo-kwazvo.
Zvino Roti wakati aparadzana naye, Jehovha akati kuna Abhuramu, Simudza hako meso ako ipapo paugere, utarire kurutivi rwokumusoro, norwenyasi, norwokumabvazuva, norwokumavirira;
nokuti nyika yose yaunoona, ndichaipa iwe navana vako nokusingaperi.
Ndichaita vana vako seguruva renyika; kuti kana kuine munhu anogona kuverenga guruva renyika, navana vako vangaverengwawo.
Simuka, ufambe nenyika pakureba kwayo, napaupamhi hwayo, nokuti ndichakupa iyo.
Ipapo Abhuramu wakabvisa tende rake, akandogara pamiti yemiouki yeMamure, iri paHebhuroni, akavakirapo Jehovha aritari.

14

Zvino nenguva yaAmuraferi, mambo weShinari, naArioki mambo weErasari, naKedhoriraomeri, mambo weEramu, naTidhari, mambo weGoyimi,
vakarwa naBhera, mambo weSodhomu, naBherisha, mambo weGomora, naShinabhi, mambo weAdhamu, naShemebheri, mambo weZebhoimi, namambo weBhera (rinonziwo Zoari).
Ava vose vakasangana mumupata weSidhimu (ndiro Gungwa roMunyu).
Vakanga vava varanda veKedhoriraomeri makore ane gumi namaviri, vakamumukira negore regumi namatatu.
Ipapo Kedhoriraomeri wakauya negore regumi namana, namadzimambo aakanga anawo, akakunda vaRefaimi paAshitoreti karinaimi, navaZuzimi paHamu, navaEmimi paShave-kiriataimi,
navaHori pagomo ravo reSeiri, kusvikira paEriparani, pedo nesango.
Vakadzoka, vakasvika Enimishipati (rinonziwo Kadheshi), vakakunda nyika yose yavaAmareki, navaAmori, vakanga vagere paHazazoni-tamari.
Zvino mambo weSodhomu, namambo weGomora, namambo weAdhamu, namambo weZebhoimi, namambo weBhera (rinonziwo Zoari), vakabuda vakagadzira hondo kuzorwa navo pamupata weSidhimu;
kuti varwe naKedhoriraomeri, mambo weEramu, naTidhari, mambo weGoyimi, naAmuraferi, mambo weShinari, naArioki, mambo weErasari; madzimambo mana kuti arwe namadzimambo mashanu.
Zvino mupata weSidhimu wakanga uzere namakomba ane tara, madzimambo eSodhomu neGomora vakatiza vakawiramo; vakasara vakatizira kugomo.
Vakatora fuma yose yeSodhomu neGomora, nezvokudya zvavo zvose, vakaenda.
Vakatorawo Roti, mwanakomana womunununa waAbhuramu wakanga agere paSodhomu, nefuma yake, vakaenda.
Zvino mumwe wakanga apukunyuka wakasvika, akaudza Abhuramu, muHebheru; iye wakanga agere pamiti yemiouki yaMamure, muAmori, munununa waEshikori, munununa waAneri; ava vakanga vaita sungano naAbhuramu.
Zvino Abhuramu wakati achinzwa kuti hama yake yatapwa, akaraira varume vake vakanga vadzidziswa kurwa, vakazvarwa paimba yake, vana mazana matatu negumi navasere, akavateverera kusvikira paDhani;
akakamura varwi vake usiku, iye navaranda vake, akavakunda, akavateverera kusvikira paHobha, riri kurudyi rweDhamasiko.
Akadzosa fuma yose, akadzosawo Roti, hama yake, nefuma yake, navakadziwo navanhu.
Ipapo mambo weSodhomu wakabuda kundosangana naye pakudzoka kwake pakuuraya Kedhorir-omeri namadzimambo akanga anavo pamupata weShave (ndiwo mupata wamambo).
Merikizedheki, mambo weSaremi, akauya nechingwa newaini; iye wakanga ari mupirisiti waMwari woKudenga-denga.
Akamuropafadza, akati, Abhuramu ngaaropafadzwe naMwari woKudengadenga, muridzi wokudenga napasi.
Mwari woKudenga-denga ngaakudzwe, wakapa vavengi venyu mumaoko enyu. Akamupa chegumi chezvose.
Zvino mambo weSodhomu akati kuna Abhuramu, Ndipe vanhu, iwe utore hako fuma.
Abhuramu akati kuna mambo weSodhomu, Ndakasimudzira ruoko rwangu kuna Jehovha, Mwari woKudengadenga, muridzi wokudenga napasi,
kuti handingatori rushinda kana rukanda rweshangu, kana chinhu chimwe chezvinhu zvenyu, kuti murege kuzoti, Ndini ndakafumisa Abhuramu,
ini handidi hangu, asi zvakadyiwa namajaya chete, nomugove wavanhu vakaenda neni, vanaAneri, naEshikori, naMamure, ngavatore migove yavo.

15

Shure kwaizvozvo shoko raJehovha rakasvika kuna Abhuramu pane zvaakaratidzwa, richiti, Usatya Abhuramu; ini ndiri nhovo yako nomubayiro wako mukuru-kuru.
Abhuramu akati, Ishe Jehovha, muchandipeiko, zvondofa hangu ndisina mwana; uchava mudyi wenhaka yeimba yangu ndiEriezeri weDhamasiko kanhi?
Abhuramu akati, Tarirai, hamuna kundipa mwana; zvino uyo wakaponerwa mumba mangu ndiye achava mudyi wenhaka yangu.
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwaari rikati, Uyu haangavi mudyi wenhaka yako; asi uyo, achabuda paura hwako, ndiye achava mudyi wenhaka yako.
Akamubudisa panze akati, Zvino tarira kudenga, uverenge nyeredzi, kana uchigona kudziverenga. Akati kwaari, Ndizvo zvichaita vana vako.
Iye akatenda Jehovha, akamuti ndiko kururama kwake.
Akati kwaari, Ndini Jehovha wakakubudisa panyika yeUri yavaKaradhea, kuti ndikupe nyika iyi, ive nhaka yako.
Iye akati, Ishe Jehovha, ndichaziva seiko kuti ichava nhaka yangu?
Akati kwaari, Nditorere tsiru rina makore matatu, nesheche yembudzi ina makore matatu, nehondohwe rina makore matatu, nenjiva, nemwana wenjiva.
Akandomutorera izvozvo zvose, akazvipamura napakati, akagadzika rumwe rutivi rwakatarisana norumwe; asi shiri haana kudzipamura.
Ipapo magora akaburukira kunyama, asi Abhuramu wakaadzinga.
Zvino zuva rakati rovira, Abhuramu ndokubatwa nehope huru; akawirwa nokutya kwakabva parima guru.
Akati kuna Abhuramu, Uzive kwazvo kuti vana vako vachava vatorwa munyika isati iri yavo, vachava varanda vavo, vachatambudzwa makore ana mazana mana;
asi ini ndichatonga rudzi urwo rwavachashumira, pashure vachabudapo nefuma zhinji.
Asi iwe uchaenda kuna madzibaba ako norugare; uchavigwa wakwegura kwazvo.
Rudzi rwechina ruchadzokera pano, nokuti kusarurama kwavaAmori kuchigere kuzara.
Zvino zuva rakati ravira, kwasviba, choto chinopfungaira nezhenje romoto zvakaonekwa zvichipfuura napakati penhindi idzodzo dzenyama.
Nomusi iwoyo Jehovha akaita sungano naAbhuramu, akati, Vana vako ndavapa nyika iyi, kubva parwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, runonzi Yufuratesi.
VaKeni, navaKenizi, navaKadhimoni,
navaHeti, navaPerezi, navaRefaimi,
navaAmori, navaKenani, navaGirigashi, navaJebhusi.

16

Zvino Sarai, mukadzi waAbhuramu, wakanga asingamuberekeri vana; iye wakanga aine murandakadzi, muIjipiti, wainzi Hagari.
Sarai akati kuna Abhuramu, Tarira Jehovha wakandikonesa kubereka, pinda hako kumurandakadzi wangu, zvimwe ndingawana vana naye. Abhuramu akateerera shoko raSarai.
Zvino Sarai mukadzi waAbhuramu, wakatora Hagari muljipiti, murandakadzi wake; Abhuramu zvino wakanga agara makore ane gumi panyika yeKenani akamupa Abhuramu, murume wake, kuti ave mukadzi wake.
Akapinda kuna Hagari, iye akatora mimba; zvino wakati aona kuti wava nemimba, akashora vatenzi vake.
Ipapo Sarai akati kuna Abhuramu, Kukanganiswa kwangu ngakuve pamusoro pako; ndini ndakapa murandakadzi wangu pachipfuva chako, zvino iye wakati aona kuti wava nemimba, akandishora; Jehovha ngaatonge pakati pangu newe.
Abhuramu akati kuna Sarai, Tarira, murandakadzi wako uri paruoko rwako, umuitire sezvaunoda. Zvino Sarai wakamunetsa, akatiza.
Mutumwa waJehovha akamuwana patsime remvura musango, patsime riri panzira inoenda Shuri.
Akati, Nhai Hagari, murandakadzi waSarai, wabvepiko? Unoendepiko? Iye akati, Ndinotiza vatenzi vangu Sarai.
Mutumwa waJehovha akati kwaari, Dzokera kuna vatenzi vako, uzvidukupise pasi pake.
Mutumwa waJehovha akati kwaari, Ndichawandisa vana vako, varege kuverengwa nokuwanda kwavo.
Mutumwa waJehovha akatiwo kwaari, Tarira wava nemimba, uchabereka mwanakomana; umutumidze zita rinonzi Ishimaeri, nokuti Jehovha wakanzwa kutambudzika kwako.
Iye uchava sembizi pakati pavanhu; ucharwa navanhu vose, navanhu vose vacharwa naye; uchagara akatarisana nehama dzake dzose.
Hagari akatumidza Jehovha wakataurirana naye, zita rinonzi: Ndimi Mwari anoona; nokuti wakati, Zviro kwazvo ndamuona pano oenda, iye unondiona!
Naizvozvo tsime iro rakatumidzwa Bheeriahiroi (tsime raiye mupenyu unondiona); riri pakati peKadheshi neBheredhi.
Hagari akaberekera Abhuramu mwanakomana; Abhuramu akatumidza mwanakomana wake, wakaberekwa naHagari, zita rinonzi Ishimaeri.
Abhuramu wakanga ana makore makumi masere namatanhatu, Hagari achimuberekera Ishimaeri.

17

Abhuramu wakati asvika makore ana makumi mapfumbamwe namapfumbamwe, Jehovha akazviratidza kuna Abhuramu, akati kwaari, Ndini Mwari waMasimbaose, famba pamberi pangu, uve wakarurama.
Ndichaita sungano yangu pakati pangu newe, ndichakuwanza kwazvo.
Ipapo Abhuramu akawira pasi nechiso chake, Mwari akataura naye, akati,
Kana ndirini, tarira, sungano yangu inewe, uchava baba vendudzi zhinji-zhinji.
Zita rako harichazonzi Abhuramu, asi zita rako richanzi Abhurahamu; nokuti ndakakuita baba vendudzi zhinji-zhinji.
Ndichakuberekesa vana vazhinji-zhinji; ndichakuita ndudzi, namadzimambo achabva kwauri.
Ndichasimbisa sungano yangu pakati pangu newe, navana vako vanokutevera pamarudzi avo ose, kuti ive sungano isingaperi; ndichava Mwari wako nowavana vako vanokutevera.
Ndichakupa iwe navana vako vanokutevera, nyika mauri mutorwa iwe, nyika yeKenani yose, kuti ive yako nokusingaperi; ini ndichava Mwari wako.
Mwari akatiwo kuna Abhurahamu, Kana uriwe, chengeta sungano yangu, iwe navana vako vanokutevera pamarudzi avo ose.
Ndiyo sungano yangu, yamunofanira kuchengeta pakati pangu nemi navana vako vanokutevera, vanakomana vose pakati penyu ngavadzingiswe.
Mudzingiswe panyama yechikanda chenyu chapamberi, kuti chive chiratidzo chesungano iri pakati pangu nemi.
Mwanakomana ane mazuva masere pakati penyu ngaadzingiswe, mukomana mumwe nomumwe pamarudzi enyu, kana akazvarwa mumba, kana akatengwa nemari kuvatorwa vapi navapi, vasati vari vavana vako.
Wakazvarwa mumba mako, Nowakatengwa nemari, vanofanira kudzingiswa; sungano yangu ive panyama penyu, ive sungano isingaperi.
Munhurume asina kudzingiswa, asina kudzingiswa panyama yechikanda chake chapamberi, munhu akadai anofanira kubviswa pakati porudzi rwake, akaputsa sungano yangu.
Mwari akatiwo kuna Abhurahamu, Kana ari Sarai, mukadzi wako haufaniri kuzomutumidza zita rinonzi Sarai, asi zita rake richanzi Sara;
ndichamuropafadza iye, ndikupe mwanakomana kwaari; ndichamuropafadza iye, kuti ave mai vendudzi; madzimambo avanhu achabva maari.
Ipapo Abhurahamu wakawira pasi nechiso chake, akaseka, akati mumoyo make, Ko munhu ana makore ane zana ungaberekerwa mwana here? NaSara, wava namakore ana makumi mapfumbamwe, angabereka here?
Abhurahamu akati kuna Mwari, Dai Ishimaeri achirarama hake pamberi penyu!
Mwari akati kwaari, Kwete, asi Sara, mukadzi wako, ndiye achakuberekera mwanakomana, unofanira kumutumidza zita rinonzi Isaka; ndichaita sungano yangu naye, ive sungano isingaperi pakati pavana vake vanomutevera.
Kana ari Ishimaeri, ndakunzwawo; tarira, ndamuropafadza, ndichamuberekesa vana vazhinji, nokumuwanzisa kwazvo; achabereka madzishe ane gumi namaviri, ndichamuita rudzi rukuru.
Asi sungano yangu ndichaisimbisa naIsaka, uyo wauchaberekerwa naSara nenguva iyi makei.
Akapedza kutaura naye, Mwari akakwira achibva kuna Abhurahamu.
Ipapo Abhurahamu wakatora Ishimaeri, mwanakomana wake, navose vakazvarwa mumba make, navose vakatengwa nemari yake, munhurume mumwe nomumwe kuvanhu vakanga vari paimba yaAbhurahamu, akavadzingisa zvikanda zvavo zvapamberi nomusi iwoyo, sezvaakaudzwa naMwari.
Abhurahamu wakanga ana makore ana makumi mapfumbamwe namapfumbamwe musi wokudzingiswa kwake.
lshimaeri, mwanakomana wake, wakanga ana makore ane gumi namatatu musi wokudzingiswa kwake.
Nomusi uyo Abhurahamu wakadzingiswa pamwechete naIshimaeri mwanakomana wake.
Navarume vose veimba yake, vakanga vazvarirwa mumba make, navakanga vatengwa nemari kuvatorwa, vakadzingiswa pamwechete naye.

18

Zvino Jehovha wakazviratidza kwaari pamiti yemiouki yeMamure, agere pamusuo wetende masikati zuva richipisa;
akasimudza meso ake, akatarira, akaona varume vatatu vamire vakatarisana naye; akati achivaona, akabva pamusuo wetende, akamhanya kundosangana navo, akakotamira pasi,
akati, Ishe wangu, kana ndawana nyasha kwamuri, musapfuura henyu pamuranda wenyu.
Ngavauye nemvura shomanana, mushambidze tsoka dzenyu, muzorore pasi pomuti;
ini nditore chimedu chechingwa, musimbise moyo yenyu; mugozopfuura henyu, nokuti ndizvo zvamauyira kumuranda wenyu. Ivo vakati; ita hako sezvawataura
Abhurahamu akakurumidza kupinda mutende kuna Sara, akati, Kurumidza ugadzire zviyero zvitatu zvoupfu hwakatsetseka, ukanye, ubike zvingwa zviduku.
Naiye Abhurahamu akamhanyira kumombe, akatora mhuru ine nyama yakapfava, yakanaka, akapa muranda wake, iye akakurumidza kuigadzira.
Akatora mukaka wakafa, nomukaka, nemhuru yaakanga agadzira, akazviisa pamberi pavo; akamira navo munyasi momuti, vakadya.
Ivo vakati kwaari, Sara, mukadzi wako, ari kupiko? Iye akati, Tarirai, ari mutende.
Iye akati, Zvirokwazvo, kana gore rapfuura, ndichauyazve kwamuri, nenguva iyo Sara, mukadzi wako, achava nomwanakomana. Zvino Sara akanga achiteerera ari pamusuo wetende shure kwake.
Zvino Abhurahamu naSara vakanga vakwegura, vava namakore mazhinji; nomutoo wavakadzi wakanga watoguma kuna Sara.
Sara akaseka mumoyo make akati, Ini ndingazvifarira here zvandachembera, naiye tenzi wangu akwegurawo?
Jehovha akati kuna Abhurahamu, Sara wasekereiko, achiti, Ko ini muchembere ndichabereka mwana zvirokwazvo here?
Kune chinhu chingakunda Jehovha here? Nguva ino, gore rapfuura, ndichadzokera kwauri; Sara achava nomwanakomana.
Asi Sara akaramba achiti, Handina kuseka, nokuti akanga achitya. Iye akati, Kwete waseka hako.
Zvino vaya varume vakasimuka, vakabva ipapo, vakatarira Sodhomu; Abhurahamu akaenda navo achivaperekedza.
Zvino Jehovha akati, Ndichavanzira Abhurahamu zvandinoita here?
Abhurahamu zvaachava rudzi rukuru rune simba, nendudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa maari?
Nokuti ndakamutsaura, kuti araire vana vake naveimba yake vanomutevera, kuti vachengete nzira yaJehovha, vaite zvakarurama nezvakanaka; kuti Jehovha auyise pamusoro paAbhurahamu izvo zvaakataura pamusoro pake.
Ipapo Jehovha akati, Kudanidzira kweSodhomu neGomora kukuru kwazvo; zvirokwazvo zvivi zvavo zvakaipa kwazvo;
ndichaburuka zvino kuti ndione izvo zvavaita, kana zvakafanana nokudanidzira kwavo kwakasvika kwandiri; kana zvisina kudaro, ndichazviziva.
Zvino vaya varume vakabva, vakaenda Sodhomu; asi Abhurahamu akaramba amire pamberi paJehovha.
Zvino Abhurahamu wakaswedera, akati, Muchaparadza vakarurama pamwechete navakaipa here?
Zvimwe vangavapo vakarurama vana makumi mashanu muguta; muchaparadza nzvimbo iyo, mukasainzwira tsitsi nokuda kwavakarurama vana makumi mashanu varimo here?
Ngazvive kure nemi kuita kudaro kuuraya vakarurama pamwechete navakaipa, kuti vakarurama vave savakaipa, ngazvive kure nemi. Mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?
Ipapo Jehovha akati, Kana ndikawana muSodhomu vakarurama vana makumi mashanu mukati meguta, ndichanzwira nzvimbo yose tsitsi nokuda kwavo.
Abhurahamu akapindura akati, Tarirai zvino, ndatsunga kutaura naJehovha, ini guruva nedota hangu;
zvimwe kuchashaikwa vashanu kuvakarurama vana makumi mashanu; mungaparadza guta rose kana vashanu vashaikwa here? Akati, Handingariparadzi, kana ndikawanamo makumi mana navashanu.
Akataurazve naye akati, Zvimwe kuchawanikwamo makumi mana. Akati, Handingazviiti nokuda kwamakumi mana.
Akati, Jehovha ngaarege hake kunditsamwira, kana ndikataurazve. Zvimwe vana makumi matatu vachawanikwamo. Akati, Handingazviiti, kana ndikawana makumi matatu.
Akati, Tarirai, ndatsunga kutaura naJehovha, zvimwe vana makumi maviri vachawanikwamo. Akati, Handingariparadzi nokuda kwamakumi maviri.
Akati, Jehovha ndikataurazve kamwe chete; zvimwe vane gumi rimwe chete vangawanikwamo. Akati, Handingariparadzi nokuda kwaivavo vane gumi.
Ipapo Jehovha akabva, apedza kutaura naAbhurahamu; naAbhurahamu akadzokera kumba kwake.

19

Vatumwa vaviri vakasvika Sodhomu madekwana; Roti akanga agere pasuo reSodhomu; Roti akavaona, akasimuka, akaenda kundosangana navo, akakotamira pasi nechiso chake;
akati, Tarirai, madzishe angu, chidotsaukirai henyu kumba kwomuranda wenyu, muvate usiku hwose, mushambidze tsoka dzenyu, mugofumira parwendo rwenyu. Ivo vakati, Kwete tichavata hedu padare usiku hwose.
Akavanyengetera zvikuru; vakadzimara votsaukira kwaari, vakapinda mumba make; akavagadzirira chirayiro, akabika chingwa chisina mbiriso, vakadya;
zvino vasati vavata, varume veguta, ivo varume veSodhomu, vakakomba imba, vaduku navakuru, vanhu vose vokumativi ose;
vakadanidzira kuna Roti, vakati kwaari, Vari kupiko varume vakapinda kumba kwako usiku huno? Vaburitsirei kwatiri, kuti tivazive.
Roti akabuda akaenda kwavari kumusuo, akazarira musuo shure kwake.
Akati, Regai henyu kuita zvakaipa zvakadai, hama dzangu.
Tarirai, ndine vakunda vaviri vasina kumboziva murume, regai ndivabudisire kwamuri, muvaitire ivo sezvamunoda; asi varume ava, musavaitira chinhu, nokuti ndizvo zvavakapindira mumumvuri wedenga rangu.
Ivo vakati, Suduruka! Vakati, Munhu uyu wakauya kuzogara pano ari mutorwa, iye zvino anoda kuva mutongi. Zvino tichakuitira zvakaipa iwe kupfuura ivo. Vakamanikidza murume uyo Roti, vakaswedera kuputsa gonhi.
Asi varume vakatambanudza maoko avo, vakakwevera Roti mumba mavakanga vari, vakapfiga gonhi.
Vakapofomadza vakanga vari pamusuo, vaduku navakuru; vakazvinetsa vachitsvaka musuo.
Varume vakati kuna Roti, Une vamwe pano here? Kana mukuwasha, kana vanakomana vako, kana vanasikana vako, navose vaunavo muguta; uvabudise muno.
Nokuti tava kuda kuparadza nzvimbo ino; nokuti kudanidzira kwavo kwava kukuru kuna Jehovha; Jehovha wakatituma kuiparadza.
Ipapo Roti akabuda, akandotaura navakuwasha vake, vakanga vachazowana vakunda vake, vakati, Simukai, ibvai muno; nokuti Jehovha achaparadza guta rino. Asi vakuwasha vake vakati, Anoita hake musare.
Utonga huchitsvuka vatumwa vakakurumidzisa Roti vachiti, Simuka, uende nomukadzi wako, navakunda vako vaviri vari pano, kuti urege kuparadzwa kana guta rorohwa.
Asi vakanonoka; varume vakabata ruoko rwake, noruoko rwomukadzi wake, namaoko avakunda vake vaviri; nokuti Jehovha wakanga ane tsitsi naye; vakamubudisa, vakamuisa kunze kweguta.
Zvino vakati vavabudisa kunze, mumwe akati, Tiza nokuda kwoupenyu hwako, usacheuka shure kwako, kana kumira pabani rose, tizira kugomo, kuti urege kuparadzwa.
Roti akati kwavari, Kwete, ishe wangu, regai kudaro.
Tarirai, muranda wenyu wakawana nyasha kwamuri, makurisa tsitsi dzenyu dzamakandiitira, zvamandiraramisa; asi handigoni kutizira kugomo, zvimwe zvakaipa zvingandiwira ndikafa.
Tarirai, guta iri riri pedo, nditizire hangu ikoko; iduku haro, nditenderei kuti nditizire ikoko, (harizi duku here?) Mweya wangu urarame.
Iye akati kwaari, Tarira, ndakunzwira tsitsi pachinhu ichiwo, kuti handingaparadzi guta iri rawareva.
Kurumidza, utizireko, nokuti handigoni kuita chinhu usati wasvikapo. Naizvozvo zita reguta rakanzi Zoari.
Zuva rakanga rabuda panyika, Roti achisvika paZoari.
Ipapo Jehovha akanaisa pamusoro peSodhomu neGomora sarufa nomoto, zvichibva kudenga kuna Jehovha,
akaparadza maguta iwayo, nebani rose, navose vakanga vagere mumaguta, nezvose zvakanga zvamera pavhu.
Asi mukadzi wake wakacheuka ari shure kwake, akaitwa shongwe yomunyu.
Zvino Abhurahamu wakamuka mangwanani, akaenda ikoko kwaakanga amire pamberi paJehovha;
akatarira kurutivi rweSodhomu neGomora nokunyika yose yebani, akaona utsi hwenyika iyo huchikwira soutsi hwechoto.
Zvino Mwari wakati achiparadza maguta ebani, Mwari akarangarira Abhurahamu, akabudisa Roti pakati pokuparadzwa ikoko, nguva yaakaparadza maguta makanga muchigara Roti.
Zvino Roti wakakwira, achibva muZoari, akandogara mugomo, navakunda vake vaviri pamwechete naye; nokuti wakatya kugara muZoari; akagara, mubako, iye navakunda vake vaviri.
Zvino dangwe rakati kumuduku, Baba vedu vakwegura; hakuna murume panyika ino angapinda kwatiri nomutoo wenyika yose;
uya, tinwise baba vedu waini, tivate navo, kuti tichengete rudzi nababa vedu.
Usiku ihwohwo vakanwisa baba vavo waini, wedangwe akapinda, akandovata nababa vake; ivo havana kuziva kuvata kwake pasi kana kumuka kwake.
Fume mangwana wedangwe akati kumuduku, Tarira, ndavata nababa vangu usiku hwanezuro; ngativanwise waini usiku hwunowo, iwe ugopinda, undovata navo, kuti tichengete rudzi nababa vedu.
Vakanwisa baba vavo waini usiku ihwohwowo, muduku akasimuka, akandovata navo; ivo havana kuziva kuvata kwake pasi kana kumuka kwake.
Naizvozvo vakunda vaRoti vaviri vakava nemimba kuna baba vavo.
Wedangwe akabereka mwanakomana,akamutumidza zita rinonzi Moabhu, kusvikira zuva ranhasi.
Nomudukuwo wakabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Bheniami; ndivo baba vavana vaAmoni kusvikira zuva ranhasi.

20

Zvino Abhurahamu wakabvapo, akaenda kunyika yenyasi, akandogara pakati peKadheshi neShuri; akava mutorwa muGerari.
Abhurahamu akati pamusoro paSara, mukadzi wake, Ihanzvadzi yangu. Abhimereki, mambo weGerari, akatuma vanhu kundotora Sara.
Asi Mwari wakauya kuna Abhimereki usiku pakurota, akati kwaari, Tarira, uchafa nokuda kwomukadzi wawatora; nokuti mukadzi uyu ane murume.
Zvino Abhimereki wakanga asina kuswedera kwaari; akati, Ishe, muchauraya norudzi rwakaruramawo here?
Ko iye haana kundiudza here, achiti, ihanzvadzi yangu; naiye mukadzi haana kuti, ihanzvadzi yangu, here? Ndakaita izvozvo nomoyo wakarurama, namaoko akachena.
Mwari akati kwaari pakurota, Hongu, ndinoziva kuti wakaita chinhu ichi nomoyo wakarurama, ndikakudzivisawo kuti urege kunditadzira; naizvozvo handina kukutendera kumubata.
Saka zvino dzosa mukadzi womurume uyu, nokuti muporofita; iye achakunyengeterera, kuti urarame; kana ukasamudzosa, uzive kuti uchafa zvirokwazvo, iwe navose vari vako.
Abhimereki akamuka mangwanani, akadana varanda vake vose, akavaudza izvozvo zvose munzeve dzavo; varume vakavhunduka kwazvo.
Ipapo Abhimereki akadana Abhurahamu akati kwaari, Chiiko chinhu ichi chawatiitira? Ini ndakutadzireiko, zvawauyisa mhosva huru pamusoro pangu napamusoro poushe hwangu?
Abhimereki akati kuna Abhurahamu, Wanga uchiti kudiniko, zvawaita chinhu ichi?
Abhurahamu akati, Nokuti ndakati, Zvirokwazvo havatyi Mwari panzvimbo ino; zvimwe vachandiuraya pamusoro pomukadzi wangu.
Uye, zvirokwazvo ihanzvadzi yangu, mukunda wababa vangu, asi haazi mwana wamai vangu; akazowanikwa neni.
Zvino Mwari wakati achindibudisa paimba yababa vangu, kuti ndidzungaire, ndikati kwaari, Hechi chinhu chakanaka chaunofanira kundiitira. Pose patinosvika, uti pamusoro pangu, ihanzvadzi yangu.
Abhimereki akatora makwai, nemombe, navaranda, navarandakadzi, akapa Abhurahamu izvozvo, akamudzoserawo Sara, mukadzi wake.
Abhimereki akati, Tarira, nyika yangu iri pamberi pako; gara hako paunoda.
Akati kuna Sara, Tarira, ndapa hanzvadzi yako mashekeri esirivha ane chiuru chezana; chichava chifukidziro chameso ako kuna vose vaunavo; waruramiswa pamberi pavose.
Abhurahamu akanyengetera kuna Mwari, Mwari akaporesa Abhimereki, nomukadzi wake, navarandakadzi vake, vakabereka vana.
Nokuti Jehovha wakanga azarira zvizvaro zvose zveveimba yaAbhimereki nokuda kwaSara, mukadzi waAbhurahamu.

21

Zvino Jehovha wakashanyira Sara, sezvaakataura; Jehovha akaitira Sara sezvaakavaudza.
Sara akava nemimba, akaberekera Abhurahamu mwanakomana pakukwegura kwake nenguva iyeyo yakanga yarehwa naMwari.
Abhurahamu akatumidza mwanakomana wake, waakaberekerwa naSara, zita rinonzi Isaka.
Abhurahamu akadzingisa mwanakomana wake Isaka aita mazuva masere, sezvaakarairwa naMwari.
Abhurahamu wakanga asvika makore ane zana, nguva yaakaberekerwa mwanakomana wake Isaka.
Ipapo Sara akati, Mwari wandisekesa; vose, vanonzwa izvozvi, vachaseka neni.
Akati, Ndianiko waitongoti kuna Abhurahamu, Sara achayamwisa vana? Nokuti ndakamuberekera mwanakomana pakukwegura kwake.
Mwanakomana wakazokura, akarumurwa; Abhurahamu akaita mutambo mukuru nomusi wokurumurwa kwalsaka.
Zvino Sara akaona mwanakomana waHagari, muljipiti, waakaberekera Abhurahamu, achiseka.
Saka wakati kuna Abhurahamu, Dzinga mubatiri uyu nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womubatiri uyu haangadyi nhaka pamwechete nomwanakomana wangu Isaka.
Shoko iro rakanga rakaipa kwazvo kuna Abhurahamu, nokuda kwomwanakomana wake.
Ipapo Mwari akati kuna Abhurahamu, Ngazvirege hazvo kuva zvakaipa kwauri nokuda kwomukomana nokwo mubatiri wako; uteerere Sara pazvinhu zvose zvaanotaura kwauri, nokuti rudzi rwako ruchatumidzwa nezita ralsaka.
Naiye mwanakomana womubatiri ndichamuita rudzi rukuruwo, nokuti mwanakomana wako.
Abhurahamu akamuka mangwanani, akatora chingwa neguchu remvura, akapa Hagari, akazviisa pafudzi rake, nomwanawo, akamuendesa; iye akaenda akandodzungaira murenje reBheerishebha.
Mvura yeguchu yakati yapera, akakanda mwana pasi munyasi megwenzi;
iye akandogara pasi pakatarisana naye nhambwe inenge ingasvika museve kana wapotserwa, nokuti wakati, Ndirege kuona hangu mwana achifa. Akagara pakatarisana naye, akachema kwazvo.
Mwari akanzwa inzwi romukomana; mutumwa waMwari akadanidzira kuna Hagari, ari kudenga, akati kwaari, Zvaita seiko Hagari? Usatya, nokuti Mwari wanzwa inzwi romukomana apo paari.
Simuka usimudze mukomana, umubate noruoko rwako, nokuti ndichamuita rudzi rukuru.
Ipapo Mwari akasvinudza meso ake, akaona tsime remvura; akaenda, akazadza guchu nemvura, akanwisa mukomana.
Mwari akava nomukomana, akakura, akagara murenje, akava munhu anopfura nouta.
Akagara murenje reParani, mai vake vakamutorera mukadzi kunyika yeIjipiti. Sungano pakati paAbhurahamu naAbhimereki
Zvino nenguva iyo Abhimereki naPikori, mukuru wehondo yake, vakataura naAbhurahamu, vakati, Mwari anewe pazvinhu zvose zvaunoita;
naizvozvo zvino ndipikire pano naMwari kuti haungandinyengeri ini, kana vana vangu, kana vana vavana vangu; asi sezvandakakuitira tsitsi, uitewo saizvozvo kwandiri, nokunyika mawakagara uri mutorwa.
Abhurahamu akati, Ndichapika.
Asi Abhurahamu akatuka Abhimereki nokuda kwetsime remvura rakanga ratorwa nesimba navaranda vaAbhimereki.
Abhimereki akati, Handizivi akaita izvozvo, newe hauna kundiudza, ini handina kumbozvinzwa, asi nhasi.
Abhurahamu akatora makwai nenzombe, akapa Abhimereki, ivo vaviri vakaita sungano.
Abhurahamu akaraura zvisheche zvinomwe zvamakwai;
Abhimereki akati kuna Abhurahamu, Ko zvisheche izvi zvinomwe zvawaraura ndezveiko?
Iye akati, Zvisheche izvi zvinomwe uzvigamuchire paruoko rwangu, chive chapupu changu, kuti ndini ndakachera tsime iri.
Naizvozvo akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Bheerishebha, nokuti ndipo pavakapika ivo vaviri.
Saizvozvo vakaita sungano paBheerishebha; Abhimereki akasimuka, naPikori, mukuru wehondo yake, vakadzokera kunyika yavaFirisitia.
Abhurahamu akasima muti womutamarisiki paBheerishebha, akanamatapo zita raJehovha Mwari wokusingaperi.
Abhurahamu akagara ari mutorwa panyika yavaFirisitia mazuva mazhinji.

22

Shure kwaizvozvo Mwari wakaedza Abhurahamu, akati kwaari, Abhurahamu! Iye akati, Ndiri pano hangu.
Akati, Zvino tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe chete, waunoda, Isaka, uende kunyika yeMoria umuite chibayiro chinopiswa pane rimwe gomo randichakuudza.
Abhurahamu akamuka mangwanani, akasunga mbongoro yake, akatora majaya ake maviri naIsaka, mwanakomana wake, akatsemura huni dzechibayiro chinopiswa, ndokusimuka, akaenda kunzvimbo yaakaudzwa naMwari.
Zvino nomusi wetatu Abhurahamu akasimudza meso ake, akaona nzvimbo iyo ari kure.
Abhurahamu akati kumajaya ake, imwi chigarai henyu pano nembongoro, ini nomwana tichaenda ikoko; tichambondonamata, tigodzokera kwamuri.
Abhurahamu akatora huni dzechibayiro chinopiswa, akadzitakudza Isaka, mwanakomana wake; akatora moto nebanga muruoko rwake, vakaenda vari vaviri.
Isaka akataura naAbhurahamu, baba vake, akati, Baba vangu! Iye akati, Ndiri pano hangu, mwana wangu. Akati: Hoyu moto nehuni, asi hwayana rechibayiro chinopiswa riripiko?
Abhurahamu akati, Mwari uchatipa gwayana rechibayiro chinopiswa, mwana wangu; saizvozvo vakafamba vari vaviri.
Vakandosvika panzvimbo yaakaudzwa naMwari; Abhurahamu akavakapo aritari, akagadzira huni, ndokusunga mwanakomana wake, akamuisa paaritari pamusoro pehuni.
Zvino Abhurahamu akatambanudza ruoko rwake, akatora banga, kuti abaye mwanakomana wake.
Ipapo mutumwa waJehovha wakadanidzira kwaari, ari kudenga akati, Abhurahamu! Abhurahamu! Iye akati, Ndiri pano hangu.
Akati, Usaisa ruoko rwako kumwana, usamuitira chinhu, nokuti zvino ndinoziva kuti unotya Mwari, zvausina kundinyima mwanakomana wako, iye mwanakomana wako mumwe chete.
Abhurahamu akasimudza meso ake, akatarira, ndokuona shure kwake hondohwe yakanga yakabatwa nyanga dzayo mugwenzi. Abhurahamu akatora hondohwe iya, akaipisa chikava chibayiro panzvimbo yomwanakomana wake.
Abhurahamu akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Jehovha jire; saka nanhasi vanositi, Pagomo raJehovha ndipo paachaonekwa.
Ipapo mutumwa waJehovha wakadana Abhurahamu rwechipiri, ari kudenga,
akati, Zvanzi naJehovha, Ndakapika neni ndimene, ndichiti, Zvawaita izvozvo, ukasandinyima mwanakomana wako mumwe chete;
ndichakuropafadza kwazvo, ndichawanza vana vako kwazvo senyeredzi dzokudenga, uye sejecha riri pamahombekombe egungwa; vana vako vachava varidzi vamasuo avavengi vavo;
ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako, zvawakateerera inzwi rangu.
Ipapo Abhurahamu wakadzokera kumajaya ake, vakasimuka vakaenda vose Bheerishebha; Abhurahamu akagara paBheerishebha.
Zvino shure kwaizvozvo Abhurahamu wakaudzwa, zvichinzi, Tarira, Mirika wakaberekerawo munununa wako Nahori vanakomana ava:
Uzi, dangwe rake, naBuzi, munununa wake, naKemueri, baba vaAramu,
naKesedhi, naHazo, naPiradhashi, naJidhirafi, naBhetueri.
Bhetueri akabereka Rabheka, ava vasere ndivo vakaberekerwa Nahori, munununa waAbhurahamu, naMirika.
Nomurongo wake wainzi Ruma, wakaberekawo Tebha, naGahami, naTahashi, naMaaka.

23

Zvino Sara wakagara makore ane zana namakumi maviri namanomwe; ndiwo makore oupenyu hwaSara.
Sara akafa paKiriyatiabha (rimwe zita ndiHebhuroni) panyika yeKenani; Abhurahamu akauya kuzochema Sara nokumuririra.
Zvino Abhurahamu akasimuka panowakafa wake, akataurirana navana vaHeti, akati,
Ndiri mweni nomutorwa pakati penyu, ndipei nzvimbo yokuviga pakati penyu, ive nzvimbo yangu, kuti ndivige wakafa wangu, ndirege kumuona.
Vana vaHeti vakapindura Abhurahamu, vakati kwaari,
Chitinzwai, ishe wedu, imwi muri muchinda waMwari pakati pedu; vigai wakafa wenyu pahwiro hwakanaka pakati pamahwiro edu ose; hakuna munhu pakati pedu angakunyimai hwiro hwake, kuti muvige wakafa wenyu.
Ipapo Abhurahamu wakasimuka akakotamira pasi pamberi pavanhu venyika iyo, ivo vana vaHeti,
akataurirana navo, akati, Kana muchitenda kuti ndivige wakafa wangu, ndirege kumuona, chindinzwai, mundikumbirire kuna Efuroni, mwanakomana waZohari,
kuti andipe bako reMakapera, raanaro, riri pamagumo emunda wake, andipe iroro, ndiripe mutengo wose, ive nzvimbo yangu yokuviga pakati penyu.
Efuroni zvino wakanga agere pakati pavana vaHeti; Efuroni, muHeti, akapindura Abhurahamu, vana vaHeti, vachizvinzwa, ivo vose vaipinda pasuo reguta rake, akati,
Kwete, ishe wangu, chindinzwai; teererai, ndinokupai munda, nairo bako ririmo, ndinokupai iro; ndinokupai izvozvo pamberi pavana vavanhu vangu; vigai henyu wakafa wenyu.
Abhurahamu akakotama pamberi pavanhu venyika iyo,
akataura naEfuroni, vanhu venyika iyo vachizvinzwa, achiti, Kana uchida, chinditeerera hako, ndichakupa mutengo womunda, uugamuchire kwandiri, kuti ndivige wakafa wangupo.
Efuroni akapindura Abhurahamu, akati kwaari,
Ishe wangu, chinditeererai; munda unotengwa namashekeri esirivha ana mazana mana, chingava chinyiko pakati pangu newe? Vigai henyu wakafa wenyu.
Abhurahamu akateerera Efuroni. Abhurahamu akayerera Efuroni mashekeri esirivha aakareva, vana vaHeti vachizvinzwa, mashekeri esirivha ana mazana mana, avanotenga nawo kuvatengesi.
Naizvo munda waEfuroni, wakanga uri paMakapera pakatarisana neMamure, munda nebako rakanga ririmo, nemiti yose yakanga iri mumunda neyakanga iri panyika yose yakapoteredza,
zvikava zvaAbhurahamu pamberi pavana vaHeti, pamberi pavose vaipinda pasuo reguta rake.
Shure kwaizvozvo Abhurahamu akaviga Sara, mukadzi wake, mubako romunda weMakapera, pakatarisana neMamure (rimwe zita ndiHebhuroni), panyika yeKenani.
Zvino munda nebako rakanga ririmo zvakasimbisiwa kuna Abhurahamu navana vaHeti, kuti zvive zvake, ikava nzvimbo yake yokuviga.

24

Abhurahamu zvino wakanga akwegura, ava mutana kwazvo; Jehovha wakanga aropafadza Abhurahamu pazvinhu zvose.
Abhurahamu akataura nomuranda wake, waiva mukuru weimba yake, waichengeta zvose zvaakanga anazvo, achiti, Chimboisa chanza chako pasi pechidya changu,
ndikupikise naJehovha, Mwari wokudenga, naMwari wenyika, kuti haungatoreri mwanakomana wangu mukadzi kuvanasikana veKenani, vandinogara pakati pavo;
asi uende kunyika yangu, nokuhama dzangu, undotorera ikoko mwanakomana wangu Isaka mukadzi.
Muranda akati kwaari, Zvimwe mukadzi haangatendi kunditevera kunyika ino, zvino ndingafanira kudzosera mwanakomana wenyu kunyika kwamakabva here?
Abhurahamu akati kwaari, Chenjera kuti urege kudzosera mwanakomana wangu ikoko.
Jehovha, Mwari wokudenga, wakandibvisa paimba yababa vangu nomunyika yokuzvarwa kwangu, wakataura neni, akandipikira, achiti, Nyika ino ndichapa vana vako, ndiye achatuma mutumwa wake pamberi pako, kuti utorere mwanakomana wangu mukadzi ikoko.
Kana mukadzi asingatendi kukutevera, iwe uchasunungurwa pakupika kwako uku kwandiri; asi usadzosera mwanakomana wangu ikoko.
Ipapo muranda akaisa chanza chake pasi pechidya chatenzi wake, akamupikira pamusoro pechinhu ichocho.
Muranda akatora makamera ane gumi pamakamera atenzi wake, akaenda, aine nhumbi dzose dzakanaka dzatenzi wake; akasimuka, akaenda Mesopotamia kuguta raNahori.
Akapfugamisa makamera kunze kweguta patsime remvura nenguva yamadekwana, iri nguva yaibuda vakadzi kundochera mvura;
akati, Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, ndifambisei henyu zvakanaka nhasi; muitire tenzi wangu Abhurahamu ngoni.
Tarirai ndimire patsime remvura, vakunda vavanhu veguta vobuda kuzochera mvura.
Zvino ngakuitwe kuti musikana wandichati kwaari, Nditurirewo chirongo chako, ndinwe; kana akati, Inwai henyu, namakamera enyu ndichaanwisawo; ngaave iye wamakatsaurira muranda wenyu Isaka; naizvozvo ndichaziva kuti makaitira tenzi wangu ngoni.
Zvino wakanga asati apedza kutaura, Rabheka, wakaberekerwa Bhetueri, mwanakomana waMirika, mukadzi waNahori, munununa waAbhurahamu, wakasvika ane chirongo pafudzi rake.
Zvino musikana uyu wakanga akanaka kwazvo pameso ake, mhandara isina kumboziviwa nomurume; akaburukira kutsime, akazadza chirongo chake, akakwirazve.
Ipapo muranda wakamhanyira kundosangana naye, akati, Dondipawo mvura pachirongo chako, ndinwe.
Iye akati, Inwai henyu, ishe wangu; akakurumidza kutura chirongo chake paruoko rwake, akamunwisa.
Wakati apedza kumunwisa, akati, Ndichacherera makamera enyuwo kusvikira aguta.
Akakurumidza, akadurura mvura yakanga iri muchirongo chake muchinwiro; akamhanyira kutsime kundocherazve, akacherera makamera ake ose.
Murume akamutarisisa, anyerere, kuti azive kana Jehovha amufambisa zvakanaka parwendo rwake, kana kwete.
Makamera akati apedza kunwa murume akatora chindori chendarama chakaita hafu yeshekeri rimwe rendarama pakurema kwacho, nezvishongo zviviri zvamaoko zvakaita mashekeri ane gumi pakurema kwazvo;
akati, Uri mukunda waaniko? Ndiudze hako. Kumba kwababa vako kune pokuvata here?
Iye akati, Ndiri mukunda waBhetueri, mwanakomana waMirika, waakaberekera Nahori.
Akati kwaariwo, Tinahwo uswa hwakaoma nezvokudya zvizhinji, nopokuvatawo.
Murume akakotamisa musoro wake, akanamata Jehovha.
Akati, Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu ngaakudzwe, asina kurega nyasha dzake nokutendeka kwake kuna tenzi wangu; kana ndirini, Jehovha wakandifambisa, akandisvitsa kuimba yehama dzatenzi wangu.
Ipapo musikana wakamhanya, akandoudza veimba yamai vake mashoko iwaya.
Zvino Rabheka wakanga ane hanzvadzi yainzi Rabhani; Rabhani akabuda, akamhanyira kumurume kutsime.
Nokuti wakati achiona chindori nezvishongo pamaoko ehanzvadzi yake, achiti, Ndizvo zvakataura murume kwandiri, akaenda kumurume akamuwana amire pamakamera patsime.
Akati, Pinda, iwe, wakaropafadzwa naJehovha; unomirireiko kunze? Nokuti ndagadzira imba nenzvimbo yamakamera.
Murume akapinda mumba; akasunungura makamera akapa makamera uswa hwakaoma nezvokudya; nemvura kuti ashambidze tsoka dzake netsoka dzavarume vaakanga anavo.
Ipapo zvokudya zvakaiswa pamberi pake kuti adye; asi iye akati, Handingadyi ndisati ndambotaura mashoko angu. Akati, Taura hako.
Iye akati, Ndiri muranda waAbhurahamu.
Jehovha wakaropafadza tenzi wangu kwazvo; wava mukuru; wakamupa makwai, nemombe, nesirivha, nendarama, navaranda, navarandakadzi, namakamera, nembongoro.
NaSara, mukadzi watenzi wangu, wakaberekera tenzi wangu mwanakomana pakukwegura kwake; ndiye waakapa zvose zvaanazvo.
Tenzi wangu akandipikisa, akati, Usatorera mwanakomana wangu mukadzi kuvanasikana veKenani, pandigere munyika yavo;
asi uende kune veimba yababa vangu nokuhama dzangu unotorera mwanakomana wangu mukadzi ikoko.
Ndikati kuna tenzi wangu, Zvimwe mukadzi haangatendi kunditevera.
Iye akati, Jehovha wandinosifamba pamberi pake, achatuma mutumwa wake newe, akufambise zvakanaka parwendo rwako; unotorera mwanakomana wangu mukadzi kuhama dzangu nokune veimba yababa vangu;
uchasunungurwa pakupika kwako kwandiri kana wasvika kuhama dzangu; kana vakaramba kukupa iye, uchasunungurwa pakupika kwako kwandiri.
Zvino ndakasvika nhasi kutsime, ndikati, Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, kana muchida kundifambisa zvakanaka parwendo rwangu rwandinofamba,
tarirai, ndimire patsime remvura; zvino ngazviitwe, kuti musikana anobuda kuzochera mvura, wandichati kwaari, Dondipawo zvimvura pachirongo chako, ndinwe,
iye akati kwandiri, Inwai henyu, imwi, uye ndichacherera makamera enyuwo, iye ave mukadzi wakatsaurirwa mwanakomana watenzi wangu naJehovha.
Zvino ndisati ndapedza kutaura mumoyo mangu, ndikaona Rabheka achiuya aine chirongo chake pafudzi rake; akaburukira kutsime, akachera; ndikati kwaari, Dondipawo, ndinwe.
Iye akakurumidza, akatura chirongo chake pafudzi rake, akati, Inwai henyu, uye ndichanwisa makamera enyuwo; ini ndikanwa, akanwisa makamerawo.
Zvino ndakamubvunza, ndikati, Uri mukunda waaniko? Iye akati, Ndiri mukunda waBhetueri, mwanakomana waNahori, waakaberekerwa naMirika; ipapo ndakaisa chindori mumhino dzake, nezvishongo pamaoko ake.
Ndikakotamisa musoro wangu, ndikanamata Jehovha, ndikatenda Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, iye wakandifambisa panzira yakarurama, kuti nditorere mwanakomana watenzi wangu mukunda womunununa watenzi wangu, kuti ave mukadzi wake.
Zvino kana muchida kuitira tenzi wangu moyochena nokutendeka, mundiudze; kana musingadi, mundiudze, kuti ndiende kurudyi kana kuruboshwe.
Ipapo Rabhani naBhetueri vakapindura vakati, Chinhu ichi chinobva kuna Mwari. Isu hatigoni kutaura kwauri zvakaipa kana zvakanaka.
Tarira, Rabheka ari pamberi pako, umutore uende, kuti ave mukadzi wake, sezvakarehwa naJehovha.
Zvino muranda waAbhurahamu wakati anzwa mashoko avo, akakotamira pasi pamberi paJehovha;
muranda akabudisa zvishongo zvesirivha, nezvendarama, nenguvo; akazvipa Rabheka; akapawo hanzvadzi yake namai vake nhumbi dzinokosha.
Vakadya, vakanwa, iye navarume vaakanga anavo; vakagarapo usiku hwose, vakamuka mangwanani; iye akati, Regai, ndiende kuna tenzi wangu.
Asi hanzvadzi yake namai vake vakati, Musikana achimbogara nesu mazuva zvimwe ane gumi, agozoenda hake.
Asi iye wakati kwavari, Musandidzora henyu, Jehovha zvaakandifambisa zvakanaka parwendo rwangu; regai ndiende kuna tenzi wangu.
Ivo vakati, Ngatidane musikana, tinzwe muromo wake.
Vakadana Rabheka, vakati kwaari, Uchaenda nomurume uyu here? Akati, Ndichaenda.
Ipapo vakatendera Rabheka, hanzvadzi yavo, nomureri wake, kuti vaende nomuranda waAbhurahamu, navanhu vake.
Vakaropafadza Rabheka, vakati kwaari, Iwe, hanzvadzi yedu, uve mai vezviuru zvamazana; vana vako ngavave varidzi vamasuo avavengi vavo.
Rabheka akasimuka, navasikana vake, vakatasva makamera, vakatevera murume uyo; muranda akatora Rabheka, akaenda parwendo rwake.
Zvino Isaka wakanga achibva nenzira yeBheeri-rakai-roi; nokuti wakanga agere kunyika yenyasi.
Isaka akabuda kundorangarira kusango nenguva yamadekwana; akasimudza meso ake, akatarira, akaona makamera achiuya.
Rabheka akasimudzawo meso ake; akati achiona Isaka, akaburuka pakamera rake.
Akati kumuranda, Murume uyu, anofamba musango kuzosangana nesu ndianiko? Muranda akati, Nditenzi wangu; iye akatora chokufukidzira chiso chake, akazvifukidza.
Zvino muranda akaudza Isaka zvose zvaakanga aita.
Isaka akamuisa mutende ramai vake Sara, akawana Rabheka, akava mukadzi wake; akamuda. Isaka akanyaradzwa shure kwokufa kwamai vake.

25

Zvino Abhurahamu akawanazve mumwe mukadzi, wainzi Ketura.
Iye akamuberekera Zimurami, naJokishani, naMedhani, naMidhiani, naIshibhaki, naShua.
Jokishani akabereka Shebha naDhedhani. Vanakomana vaDhedhani vakanga vari vaAshuri, navaRetushi, navaReumi.
Vanakomana vaMidhiani vakanga vari Efa, naEferi, naHanoki, naAbhidha, naEridha. Ava vose vakanga vari vana vaKetura.
Abhurahamu akapa Isaka zvose zvaakanga anazvo.
Asi vanakomana vavarongo vaAbhurahamu vaakanga anavo, Abhurahamu wakavapa zvipo; akavatuma, iye achiri mupenyu, vabve kuna Isaka mwanakomana wake, vaende kumabvazuva, kunyika yokumabvazuva.
Ndiwo mazuva amakore oupenyu hwaAbhurahamu. Makore ane zana namakumi manomwe namashanu.
Abhurahamu akabudisa mweya wake, akafa akwegura kwazvo, ava mutana, makore ake ave mazhinji, akasanganiswa navanhu vake.
Isaka naIshimaeri, vanakomana vake, vakamuviga mubako reMakapera, mumunda waEfuroni, mwanakomana waZohari, wavaHeti, wakatarisana neMamure;
ndiwo munda wakanga watengwa naAbhurahamu kuvana vaHeti; ndipo pakavigwa Abhurahamu naSara, mukadzi wake.
Zvino Abhurahamu wakati afa, Mwari akaropafadza Isaka, mwanakomana wake; Isaka akagara paBheeri-rakai-roi.
Ndiwo marudzi alshimaeri, mwanakomana waAbhurahamu, wakaberekerwa Abhurahamu naHagari, muljipiti, murandakadzi waSara.
Ndiwo mazita avanakomana vaIshimaeri, ndiwo mazita avo pakuzvarwa kwavo. Wedangwe waIshimaeri wakanga ari Nebhayoti, naKedhari, naAdhibheri, naMibhisami,
naMishima, naDhurina, naMasa,
naHadhadhi, naTema, naJeturi, naNafishi, naKedhema;
ndivo vanakomana vaIshimaeri, ndiwo mazita avo, pamisha yavo napamatende avo; machinda ane gumi namaviri nendudzi dzavo.
Ndiwo makore oupenyu hwaIshimaeri, makore ane zana namakumi matatu namanomwe; akabudisa mweya wake, akafa, akasanganiswa navanhu vake.
Vakagara kubva paHavhira kusvikira paShuri, mberi kweIjipiti, kana munhu achienda Asiria; akandogara akatarisana nehama dzake dzose. Kuzvarwa kwaEsau naJakobho
Ndiwo marudzi alsaka, mwanakomana waAbhurahamu. Abhurahamu akabereka Isaka;
Isaka akanga ana makore ana makumi mana pakuwana kwake Rabheka, mukunda waBhetueri, muAramu, wePadhanaramu, hanzvadzi yaRabhani, muAramu, kuti ave mukadzi wake.
Zvino Isaka wakanyengeterera mukadzi wake kuna Jehovha, nokuti wakanga asingabereki; Jehovha akanzwa kunyengetera kwake, Rabheka, mukadzi wake, akave nemimba.
Zvino vana vakasundana mukati make, akati, Kana zvakadaro, ndakaitirweiko izvozvi? Akandobvunza Jehovha.
Jehovha akati kwaari, Mune ndudzi mbiri muchizvaro chako, ndudzi mbiri dzichaparadzana, dzichibva mudumbu rako; rumwe rudzi ruchakunda rumwe rudzi nesimba; mukuru achashumira muduku.
Zvino mazuva ake okubereka akati asvika, onei vana vaviri vari muchizvaro chake.
Wokutanga akabuda ari mutsvuku, muviri wose wakaita senguvo ine mvere; vakatumidza zita rake Esau.
Pashure munununa wake akabuda, ruoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau, vakatumidza zita rake Jakobho. Isaka akanga ana makore makumi matanhatu pakuberekwa kwavo.
Vakomana vakakura; Esau akava mudzimba wakachenjera, murume wesango; Jakobho wakanga ari murume wakarurama, waigara mumatende.
Isaka akada Esau, nokuti waida nyama yemhuka, asi Rabheka wakanga achida Jakobho.
Zvino Jakobho wakanga abika zvokudya, Esau akasvika achibva kusango aziya;
Esau akati kuna Jakobho, Dondipawo izvo zvakatsvuka ndidye, nokuti ndaziya; saka wakatumidzwa zita rinonzi Edhomu.
Jakobho akati, Chimbonditengesera udangwe hwako.
Esau akati, Tarira, ndofa hangu, udangwe uchandibatsireiko?
Jakobho akati, Chimbondipikira; akamupikira, akatengesera Jakobho udangwe hwake.
Jakobho akapa Esau chingwa nezvokudya zvenyemba; akadya, akanwa, akasimuka, ndokuenda hake; Esau akazvidza udangwe hwake saizvozvo.

26

Zvino nzara yakanga iripo panyika; isati iri nzara yakanga iripo pamazuva aAbhurahamu. Isaka akenda Gerari kuna Abhimereki, mambo wavaFirisitia.
Jehovha akazviratidzazve kwaari akati, Usaburukira Ijipiti, gara munyika yandakakuudza;
gara hako munyika ino uri mutorwa; ini ndichava newe, ndichakuropafadza; nokuti ndichakupa iwe, navana vako, nyika idzi dzose; ndichasimbisa mhiko yandakapikira Abhurahamu, baba vako;
ndichawanza vana vako senyeredzi dzedenga; ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako;
nokuti Abhurahamu wakateerera inzwi rangu, akachengeta zvandakamuraira, nemirairo yangu, nemitemo yangu, nemirau yangu.
Isaka akagara Gerari;
vanhu venyika iyoyo vakamubvunza pamusoro pomukadzi wake, akati, Ihanzvadzi yangu; nokuti wakanga achitya kuti, mukadzi wangu, achiti, Zvimwe vanhu venyika ino vangandiuraya nokuda kwaRabheka; nokuti akanga akanaka kumeso.
Zvino wakati avapo nguva refu, Abhimereki, mambo wavaFirisitia, wakatarira napahwindo, akaona Isaka achitamba naRabheka, mukadzi wake.
Ipapo Abhimereki akadana Isaka akati, Tarira, zvirokwazvo mukadzi wako; wakataura seiko uchiti, Ihanzvadzi yangu? Isaka akati kwaari, Nokuti ndakati, Zvimwe ndingafa nokuda kwake.
Abhimereki akati kwaari, Ndokudiniko kuti watiitira chinhu ichi? Dai mumwe wavanhu aivata nomukadzi wako, ungadai watiisa pamhosva.
Abhimereki akaraira vanhu vose, akati, Anobata munhu uyu kana mukadzi wake, achauraiwa zvirokwazvo.
Zvino Isaka akadzvara zviyo munyika iyoyo, akawana gore iro rune zana; Jehovha akamuropafadza.
Munhu uyu akava mukuru, akaramba achiwedzerwa, kusvikira ava mukuru kwazvo;
akanga aine fuma yamakwai, neyemombe, nemhuri huru; vaFirisitia vakamugodora.
VaFirisitia vakadzivira matsime ose akanga acherwa navaranda vababa vake pamazuva ababa vake Abhurahamu, vakaafutsira nevhu.
Abhimereki akati kuna Isaka, Ibva hako kwatiri, nokuti watipfuura kwazvo nesimba.
Isaka akabvapo, akandodzika matende ake mumupata weGerari, akagarapo.
Isaka akacherazve matsime emvura, akanga acherwa pamazuva ababa vake, Abhurahamu; nokuti vaFirisitia vakanga vaadzivira Abhurahamu afa; akaatumidza mazita aakanga atumidzwa nababa vake.
Varanda vaIsaka vakachera mumupata, vakawanapo tsime remvura inotubuka.
Vafudzi veGerari vakaitirana nharo navafudzi vaIsaka, vachiti, Imvura yedu; akatumidza tsime iroro zita rinonzi Eseki; nokuti vakapesana naye.
Zvino akandocherazve rimwe tsime; vakaitirana nharo pamusoro pairorozve; akaritumidza zita rinonzi Sitina.
Akabvapo, akandocherazve rimwe tsime; iroro havana kuzoitirana nharo pamusoro paro; akaritumidza zita rinonzi Rehobhoti; akati, Nokuti zvino Jehovha wakandiitira nzvimbo huru, kuti tiwande munyika ino.
Akabvapo, akakwira Bheerishebha;
Jehovha akazviratidza kwaari usiku ihwohwo, akati, Ndini Mwari waAbhurahamu, baba vako; usatya, nokuti ndinewe, ndichakuropafadza, nokuwanza rudzi rwako nokuda kwaAbhurahamu, muranda wangu.
Akavakapo aritari, akanamata zita raJehovha, akadzika tende rake ipapo; varanda vaIsaka vakacherapo tsime.
Ipapo Abhimereki akaenda kwaari, achibva Gerari, aine shamwari yake Ahuzati, naPikori, mukuru wehondo yake.
Isaka akati kwavari, Mauyireiko kwandiri, zvamunondivenga, mukandidzinga kwamuri?
Ivo vakati, Takaona kwazvo kuti Jehovha anewe, tikati, Zvino mhiko ngaivepo pakati pedu, pakati pedu newe, tiite sungano newe;
kuti urege kutiitira zvakaipa, sezvatisina kukubata iwe, sezvatakakuitira zvakanaka bedzi, tikakuendesa norugare; zvino iwe ndiwe hako muropafadzwa waJehovha.
Iye akavagadzirira zvokudya, vakadya, vakanwa,
vakamuka mangwanani, vakapikirana; ipapo Isaka akavatendera kuenda, vakabva kwaari norugare.
Nomusi iwoyo varanda vaIsaka vakauya, vakamuudza kuti vakanga vachera tsime, vakati kwaari, Mvura taiwana.
Akaritumidza zita rinonzi Shebha; naizvozvo zita reguta ndiBheerishebha kusvikira zuva ranhasi.
Zvino Esau wakati asvika makore makumi mana, akawana Judhisi, mukunda waBheeri, muHeti, naBhasimati, mukunda waEroni, muHeti;
ivavo vakarwadza moyo walsaka naRabheka.

27

Zvino Isaka wakati ava mutana, meso ake owonera madzedzerere, asisaoni zvakanaka, akadana Esau, mwanakomana wake mukuru, akati kwaari, Mwana wangu; iye akati kwaari, Ndiri pano hangu.
Akati, Tarira zvino ndakwegura; handizivi zuva rokufa kwangu.
Zvino tora hako nhumbi dzako dzokuvhima nadzo, dzinoti goba rako, nouta hwako, uende kusango undivhimire mhuka;
undigadzirire nyama yakanaka, sezvandinoda, uuye nayo kwandiri, ndidye, mweya wangu ukuropafadze, ndisati ndafa.
Zvino Rabheka akanzwa Isaka achitaura naEsau, mwanakomana wake. Esau akaenda kusango kundovhima mhuka, kuti auye nayo.
Rabheka akataura naJakobho, mwanakomana wake, akati, Tarira, ndanzwa baba vako vachitaura naEsau, mukoma wako, vachiti,
Nditorere mhuka, undigadzirire nyama yakanaka, kuti ndiidye, ndikuropafadze pamberi paJehovha ndisati ndafa.
Zvino mwana wangu, teerera inzwi rangu sezvandinokuraira.
Enda zvino kuzvipfuwo, unditorerepo mbudzana mbiri dzakanaka, ndigadzirire baba vako nadzo nyama yakanaka, sezvavanoda;
ugoenda nayo kuna baba vako, vadye, kuti vakuropafadze vasati vafa.
Jakobho akati kuna Rabheka mai vake, Tarirai, Esau, mukoma wangu, munhu ane mvere, asi ini ndiri munhu asina mvere.
Zvimwe baba vangu vachandibata-bata, ndikava somunyengedzeri pamberi pavo, ndikazviuyisira kutukwa pachigaro chokuropafadzwa.
Mai vake vakati kwaari, Kutukwa kwako ngakuve pamusoro pangu, mwana wangu; teerera hako inzwi rangu, uende unditorere idzo.
Iye akaenda, akadzitora, akadziisa kuna mai vake; mai vake vakagadzira nyama yakanaka, yaidikanwa nababa vake.
Zvino Rabheka akatora nguvo dzakaisvonaka dzaEsau, mwanakomana wake mukuru, dzaaiva nadzo mumba, akadzifukidza Jakobho, mwanakomana wake muduku;
akaisa nguvo dzembudzana pamaoko ake, napamutsipa wake pakanga pasina mvere;
akaisa nyama yakanaka nechingwa, zvaakanga agadzira, muruoko rwaJakobho, mwanakomana wake.
Iye akaenda kuna baba vake, akati, Baba vangu; ivo vakati, Ndiri pano hangu; ndiwe aniko mwana wangu?
Jakobho akati kuna baba vake, Ndini Esau, dangwe renyu; ndaita sezvamandiraira; simukai henyu, mugare, mudye nyama yangu yemhuka, mweya wenyu undiropafadze.
Isaka akati kumwanakomana wake, Wakurumidza seiko kuiwana, mwana wangu? Iye akati, Nokuti Jehovha, Mwari wenyu, waituma pamberi pangu.
Isaka akati kuna Jakobho, Chimboswedera hako, ndikubate-bate, mwana wangu, kuti ndizive kuti uri mwanakomana wangu Esau chaiye, kana kuti hausi iwe.
Jakobho akaswedera kuna Isaka, baba vake; ivo vakamubatabata, vakati, Inzwi, inzwi raJakobho, asi maoko maoko aEsau.
Asi haana kumuziva, nokuti maoko ake akanga aine mvere, samaoko omukuru wake Esau; akamuropafadza.
Akati, Ndiwe mwanakomana wangu Esau chaiye here? Iye akati, Ndini iye.
Akati, Uiswededze pedo neni, kuti ndidye nyama yemhuka yomwanakomana wangu, mweya wangu ukuropafadze. Iye akaiswededza pedo naye, akadya; akamupawo waini, akanwa.
Ipapo baba vake Isaka vakati kwaari, Swedera zvino unditsvode, mwana wangu.
Akaswedera, akamutsvoda; akanzwa munhuwi wenguvo dzake, akamuropafadzwa, akati, Tarira munhuwi womwanakomana wangu wakaita somunhuwi wesango rakaropafadzwa naJehovha;
Mwari ngaakupe dova rokudenga, mafuta enyika, nezviyo newaini zvakawanda.
Vanhu ngavakushumire, marudzi ose ngaakupfugamire; uve ishe wehama dzako, vanakomana vamai vako ngavakupfugamire; vose vanokutuka ngavatukwe, vose vanokuropafadza ngavaropafadzwe.
Zvino Isaka wakati apedza kuropafadza Jakobho, Jakobho achangobuda pamberi palsaka baba vake, Esau mukoma wake, akapinda, achibva pakuvhima kwake.
Naiye akagadzira nyama yakanaka, akaenda nayo kuna baba vake; akati kuna baba vake, Baba vangu ngavasimuke, ngavadye nyama yemhuka yomwanakomana wavo, kuti mweya wenyu undiropafadze.
Ipapo Isaka baba vake vakati, Ndiwe aniko? Iye akati, Ndini mwanakomana wenyu, dangwe renyu Esau.
Isaka akabvunda kwazvo-kwazvo, akati, Ndianiko wakanga avhima mhuka, akauya nayo kwandiri ndikadya zvose, iwe usati wasvika, ndikamuropafadza? Hongu, zvirokwazvo iye acharopafadzwa hake.
Esau akati achinzwa mashoko ababa vake, akachema nokuchema kukuru kunorwadza moyo, akati kuna baba vake, Ndiropafadzei neniwo, baba vangu!
Akati, Munununa wako wakauya nokunyengedzera, akatora kuropafadzwa kwako.
Iye akati, Haana kutumidzwa zita rakamufanira here, rokuti Jakobho? Nokuti zvino wandinyengedzera kaviri; wambonditorera udangwe hwangu, zvino tarira, wanditorera kuropafadzwa kwangu. Akati, Hamuna kundichengeterawo kuropafadzwa here?
Isaka akapindura, akati kuna Esau, Tarira, ndamuita ishe wako, nehama dzake dzose ndakamupa iye, kuti vave varanda vake; ndamusimbisa nezviyo newaini; zvino chinyiko chandingakuitira iwe, mwana wangu?
Esau akati kuna baba vake, Munongova nokuropafadza kumwe kwoga here, baba vangu? Ndiropafadzei, neniwo, baba vangu! Esau akachema nokuchema. kukuru.
Ipapo Isaka baba vake, akapindura akati kwaari, Tarira, ugaro hwako uchava kure namafuta enyika, kure nedova rokudenga rinobva kumusoro;
uchararama nomunondo wako, uchashumira munununa wako; uchati kana wozvimutsa iwe, uchavhuna joko rake ribve pamutsipa wako.
Esau akavenga Jakobho nokuda kwokuropafadzwa kwaakaropafadzwa nako nababa vake; Esau akati mumoyo make, Mazuva okuchema baba vangu ava kuda kusvika; ipapo ndichauraya munununa wangu Jakobho.
Zvino Rabheka akaudzwa mashoko aEsau, mwanakomana wake mukuru; akatuma munhu kundodana Jakobho, mwanakomana wake muduku, akati kwaari, Tarira, mukoma wako Esau anozvivaraidza pamusoro pako, achiti achakuuraya.
Saka zvino, mwana wangu, teerera inzwi rangu; simuka utizire Harani kuna Rabhani hanzvadzi yangu;
undogara kwaari mazuva mashomanana, kusvikira shungu dzomukoma wako dzanyarara;
kusvikira kutsamwa kwomukoma wako kwanyarara kwauri, kana akanganwa izvo zvawamuitira. Ipapo ndichatuma munhu kuzokutora ikoko; ndichatorerwa seiko nomusi mumwe imwi mose muri vaviri?
Rabheka akati kuna Isaka, Ndanetswa noupenyu hwangu nokuda kwavakunda vaHeti; kana Jakobho akawanawo mukadzi kuvakunda vaHeti, wakaita saivava, kuvakunda venyika ino, upenyu hwangu ungandibatsirei?

28

Zvino Isaka wakadana Jakobho, akamuropafadza, akamuraira, akati kwaari, Usawana mukadzi kuvakunda veKenani.
Simuka uende Padhanaramu, kuimba yaBhetueri, baba vamai vako, uzviwanire ikoko mukadzi kuvakunda vaRabhani, hanzvadzi yamai vako.
Mwari Wamasimbaose ngaakuropafadze, akuberekese vana, akuwanze, kuti uve ndudzi zhinji dzavanhu;
akupe kuropafadzwa kwaAbhurahamu, iwe, navana vako pamwechete newe; kuti ugare nhaka yenyika maugere uri mutorwa, iyo yakapiwa Abhurahamu naMwari.
Isaka akati Jakobho aende, akaenda Padhanaramu, kuna Rabhani, mwanakomana waBhetueri, muAramu, hanzvadzi yaRabheka, mai vaJakobho naEsau.
Zvino Esau wakaona kuti Isaka wakanga aropafadza Jakobho, akati aende Padhanaramu, kuti azviwanire ikoko mukadzi; uyewo kuti pakumuropafadza kwake akamuraira, achiti, Usawana mukadzi kuvakunda veKenani;
uyezve, kuti Jakobho akateerera baba vake namai vake, akaenda Padhanaramu.
Esau akaona kuti vakunda veKenani havana kufadza Isaka baba vake;
Esau akaenda kuna Ishimaeri, akawedzera kuvakadzi vake, vaakanga anavo, Maharati mukunda walshimaeri, mwanakomana waAbhurahamu, hanzvadzi yaNebhayoti, kuti ave mukadzi wake.
Zvino Jakobho akabuda paBheerishebha, akaenda Harani,
akasvika pane imwe nzvimbo, akavatapo usiku, nokuti zuva rakanga ravira; akatora rimwe ibwe ipapo, akaritsamira, akavata pasi ipapo.
Akarota, akaona danhu rakanga ramiswa panyika, musoro waro wakasvika kudenga; akaona vatumwa vaMwari vachikwira nokuburuka naro.
Akaona Jehovha amire naye, akati, Ndini Jehovha, Mwari waAbhurahamu baba vako, naMwari waIsaka; nyika yauvete pamusoro payo ndichakupa iyoyo, iwe navana vako;
vana vako vachaita seguruva renyika; uchapararira kumavirazuva, nokumabvazuva, nokumusoro, nenyasi; ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa mauri nomuvana vako.
Tarira, ndinewe, ndichakuchengeta kwose kwaunoenda, nokukudzosera kunyika ino; nokuti handingakusiyi kusvikira ndaita izvozvo zvandakakuudza.
Ipapo Jakobho akapepuka pahope dzake, akati, Zvirokwazvo Jehovha ari panzvimbo ino, asi ini handina kuzviziva.
Akatya akati, Nzvimbo ino inotyisa seiko! Iyi imba chaiyo yaMwari, isuo rokudenga.
Jakobho akamuka mangwanani, akatora ibwe raakanga akatsamira, akarimisa kuti rive shongwe, akadira mafuta pamusoro paro;
akatumidza nzvimbo iyoyo zita rinonzi Bheteri, asi zita reguta pakutanga rainzi Ruzi.
Ipapo Jakobho akapika mhiko achiti, Kana Mwari akava neni, akandichengeta panzira yandinoenda, akandipa zvokudya, ndidye, nezvokufuka, ndifuke;
ndikadzokerazve norugare kuimba yababa vangu, Jehovha achava Mwari wangu;
neiri ibwe, randakamisa rikava shongwe, richava imba yaMwari; nezvinhu zvose zvamuchandipa, zvirokwazvo ndichakupai chegumi chazvo.

29

Jakobho akasimukapo, akaenda kunyika yavanhu vamabvazuva.
Akatarira, akaona tsime kusango, namapoka matatu amakwai avete pasi pariri; nokuti vainwisa mapoka avo patsime iroro; pamuromo wetsime iroro pakanga paine ibwe guru.
Ndipapo paiungana mapoka ose; zvino vaikungurutsa ibwe pamuromo wetsime, vakanwisa makwai avo, vachidzoserazve ibwe pamuromo wetsime paugaro hwaro.
Jakobho akati kwavari, Hama dzangu, mabvepiko? Ivo vakati, Tabva Harani.
Iye akati kwavari, Munoziva Rabhani, mwanakomana waNahori, here? Vakati, Tinomuziva.
Akati kwavari, Wakafara here? Ivo vakati, Wakafara hake; hoyo Rakeri mukunda wake, wouya namakwai.
Akati, Tarirai, achiri masikati makuru, nguva yokuunganidza zvipfuwo ichigere kusvika; nwisai makwai, mugondoafudza.
Ivo vakati, Hatingagoni kusvikira mapoka ose aunganidzwa pamwechete, ibwe rikakungurutswa pamuromo wetsime; ipapo tinonwisa makwai.
Akati achiri kutaura navo, Rakeri akasvika namakwai ababa vake, nokuti ndiye aiva mufudzi wawo.
Zvino Jakobho akati achiona Rakeri, mukunda waRabhani, hanzvadzi yamai vake, Jakobho akaswedera, akakungurutsa ibwe pamuromo wetsime, akanwisa makwai aRabhani, hanzvadzi yamai vake.
Jakobho akatsvoda Rakeri, akachema kwazvo.
Jakobho akaudza Rakeri kuti iye ihama yababa vake, mwanakomana waRabheka. Ipapo iye akamhanya, akandoudza baba vake.
Rabhani akati anzwa mashoko aJakobho, mwanakomana wehanzvadzi yake, akamhanya kundosangana naye, akamumbundikira, akamutsvoda, akamuisa kumba kwake. Iye akaudza Rabhani zvinhu izvo zvose.
Rabhani akati kwaari, Zvirokwazvo uri pfupa rangu renyama yangu. Akagara naye mwedzi wose.
Zvino Rabhani akati kuna Jakobho, Ko ungandibatira usingapiwi mubayiro, nokuti uri hama yangu here? Ndiudze kuti mubayiro wako uve weiko.
Zvino Rabhani akanga ana vakunda vaviri; zita romukuru rakanga riri Rea, nezita romuduku Rakeri.
Rea akanga ana meso akaneta, asi Rakeri akanga akanaka kwazvo pamuviri napachiso.
Zvino Jakobho akanga achida Rakeri, akati, Ndichakubatirai makore manomwe pamusoro paRakeri, mukunda wenyu muduku.
Rabhani akati kwaari, Zviri nani kuti ndimupe iwe, ndirege kumupa mumwe murume; gara hako neni.
Jakobho akamubatira makore manomwe pamusoro paRakeri; asi akava samazuva mashoma kwaari, nokuti akanga achimuda.
Zvino Jakobho akati kuna Rabhani, Ndipei mukadzi wangu, nokuti mazuva angu asvika, kuti ndipinde kwaari.
Rabhani akakoka vanhu vose voko, akaita mutambo.
Zvino kuzoti ava madeko, akatora Rea, mukunda wake, akamuisa kwaari; iye akapinda kwaari.
Rabhani akapa Rea, mukunda wake Ziripa, murandakadzi wake, kuti ave mushandiri wake.
Zvino mangwana akaona kuti ndiRea; akati kuna Rabhani, Chiiko ichi chawandiitira? Handina kukubatira pamusoro paRakeri here? Wandinyengedzera seiko?
Rabhani akati, Hakunzarwo kuno kwedu, kuti munununa atange kuwaniswa, mukuru achigere.
Pedzisa vhiki yewaniso naiyeyu, tigokupa mumwewo pamusoro pebasa rauchandibatira mamwe makore manomwezve.
Jakobho akaita saizvozvo, akapedza vhiki yewaniso naye; akamupa Rakeri, mukunda wake, kuti ave mukadzi wake.
Rabhani akapa Rakeri, mukunda wake, Bhiriha murandakadzi wake, kuti ave mushandiri wake.
Akapindawo kuna Rakeri, akada Rakeriwo kupfuura Rea, akamubatira mamwe makore manomwezve.
Zvino Jehovha akaona kuti Rea akanga asingadikanwi, akamuberekesa; asi Rakeri akanga asingabereki.
Rea akava nemimba, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Rubheni; nokuti wakati, Jehovha akaona dambudziko rangu; nokuti zvino murume wangu achandida.
Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akati, Jehovha akanzwa kuti handidikanwi, naizvozvo akandipawo uyu; akamutumidza zita rinonzi Simiyoni.
Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akati, Zvino nguva ino murume wangu achandinamatira, nokuti ndamuberekera vanakomana vatatu; naizvozvo zita rake rakanzi Revhi.
Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akati, Nguva ino ndicharumbidza Jehovha; naizvozvo akamutumidza zita rinonzi Judha; akaguma kubereka.

30

Zvino Rakeri akati achiona kuti haaberekeri Jakobho vana, Rakeri akagodora mukoma wake, akati kuna Jakobho, ndipe vana; kana usingandipi, ndichafa.
Ipapo Jakobho akatsamwira Rakeri akati, Ndiri panzvimbo yaMwari kanhi, wakakushaisa chibereko?
Iye akati, Hoyo murandakadzi wangu Bhiriha; pinda kwaari kuti abereke pamabvi angu, neni ndiwane vana kwaari.
Akamupa Bhiriha, murandakadzi wake, kuti ave mukadzi wake; Jakobho akapinda kwaari.
Zvino Bhiriha akava nemimba, akaberekera Jakobho mwanakomana.
Rakeri akati, Mwari akandiruramisa, akandipa mwanakomana, naizvozvo akamutumidza zita rinonzi Dhani.
Bhiriha, murandakadzi waRakeri akava nemimbazve, akaberekera Jakobho mwanakomana wechipiri.
Zvino Rakeri akati, Ndakarwa nokurwa kukuru nomukoma wangu, ndikakunda; akamutumidza zita rinonzi Nafutari.
Zvino Rea akati achiona kuti waguma kubereka vana akatora Ziripa, murandakadzi wake, akamupa Jakobho, kuti ave mukadzi wake.
Ziripa, murandakadzi waRea, akaberekera Jakobho mwanakomana.
Rea akati, Makorokoto! Akamutumidza zita rinonzi Gadhi.
Ziripa, murandakadzi waRea, akaberekera Jakobho mwanakomana wechipiri.
Rea akati, Ndinomufaro mukuru, nokuti vanasikana vachati, ndinomufaro mukuru, akamutumidza zita rinonzi Asheri.
Zvino Rubheni akaenda pamazuva okucheka zviyo, akandowana michero kusango, akauya nayo kuna mai vake Rea. Rakeri akati kuna Rea, Dondipawo michero yomwanakomana wako.
Iye akati kwaari, Chinhu chiduku here kuti wakatora murume wangu? Rakeri akati, Naizvozvo ngaavate newe usiku huno nokuda kwemichero yomwanakomana wako.
Zvino Jakobho akati obva kusango madeko, Rea akabuda kundosangana naye, akati, Unofanira kupinda kwandiri, nokuti ndakakutenga nemichero yomwanakomana wangu. Akavata naye usiku ihwohwo.
Zvino Mwari akanzwa Rea, akava nemimba, akaberekera Jakobho mwanakomana wechishanu.
Rea akati, Mwari akandipa mubayiro wangu, nokuti ndakapa murandakadzi wangu murume wangu; akamutumidza zita rinonzi Isakari.
Rea akava nemimbazve, akaberekera jakobho mwanakomana wechitanhatu.
Rea akati, Mwari akandipa chipo chakanaka; zvino murume wangu achagara neni, nokuti ndamuberekera vanakomana vatanhatu; akamutumidza zita rinonzi Zebhuroni.
pashure akazobereka mwanasikana, akamutumidza zita rinonzi Dhina.
Zvino Mwari akarangarirawo Rakeri, Mwari akamunzwa, akazarura chizvaro chake.
Iye akava nemimba , akabereka mwanakomana; akati, mwari akabvisa kuzvidzwa kwangu;
akamutumidza zita rinonzi Josefa, achiti, Jehovha ngaandiwedzere mumwe mwanakomana.
Zvino Rakeri akati abereka Josefa, Jakobho akati kuna Rabhani, Ndiregei, ndiende kumusha kwangu, nokunyika yangu.
Ndipei vakadzi vangu navana vangu, vandakakubatirai, ndiende hangu, nokuti imwi munoziva kubata basa kwangu kwandakakubatirai nako.
Rabhani akati, ,Zvino kana ndawana nyasha pamberi pako, gara hako, nokuti ndakaona kuti Jehovha akandiropafadza nokuda kwako.
Akati, Ndiudze mubayiro wako, ndigokupa iwo.
Iye akati, imwi munoziva mumene sezvandakakubatirai, uye kugara kwezvipfuwo zvenyu kwandiri.
Nokuti zvamaiva nazvo, ndisati ndasvika, zvanga zviri zvishoma, zvikazowanda. zvikava zvizhinji; Jehovha akakuropafadzai pose pandakatsika; zvino ndichabatira imba yangu rinhiko?
Iye akati, Ndokupeiko? Jakobho akati, Musandipa chinhu; kana mukandiitira chinhu ichi, ndichafudzazve zvipfuwo zvenyu nokuzvichengeta.
Ndichafamba pakati pezvipfuwo zvenyu zvose nhasi, ndichiraura pakati pazvo zvose zvinamavara nezvinamakwapa, namatema pakati pamakwai, nedzinamavara nedzinamakwapa pakati pembudzi; ndizvozvo zvichava mubayiro wangu.
Nenzira iyi kururama kwangu kuchandipupurira pashure, kana muchizouya kuona mubayiro wangu uri pamberi penyu; dzose dzisina mavara nedzisina makwapa pakati pembudzi, namatema pakati pamakwai, izvozvo kana zvikawanikwa kwandiri mungati zvabiwa neni.
Rabhani akati, Ndizvo hazvo, ngazvive sezvawataura.
Nomusi iwoyo akaraura nhongo dzembudzi dzakanga dzine mitsetse, nedzina makwapa, nenhunzvi dzose dzembudzi dzakanga dzina mavara nedzina makwapa, dzose dzakanga dzinoruvana ruchena, napakati pamakwai ose akanga anoruvara rutema, akazvipa vana vake;
akaisa runhambo rwamazuva matatu pakati pake naJakobho; Jakobho akafudza zvipfuwo zvaRabhani zvakanga zvasara.
Zvino Jakobho akatora matanda omusitorakisi, noomuamanda, noomupurani, akasvuura mitaro michena paari, kuti kuchena kuonekwe kwakanga kuri maari;
akaisa matanda aakanga asvuura pamberi pezvipfuwo muzvinwiro, paiuya zvipfuwo zvichinwa; zvikatora zamu kana zvouya kunwa.
Zvipfuwo zvikatora zamu pamberi pamatanda, zvipfuwo zvikabereka vana vane mitsetse, navanamavara, navanamakwapa.
Zvino Jakobho akaraura makwayana, akataridza zvipfuwo kune zvaiva nemitsetse, nezvitema pakati pezvipfuwo zvaRabhani; akaisa mapoka ake ari oga; haana kuzviisa kuzvipfuwo zvaRabhani.
Zvino nguva imwe neimwe kana zvaiva nesimba pazvipfuwo zvichitora zamu, Jakobho akaisa matanda pamberi pezvipfuwo muzvinwiro, kuti zvitore zamu pakati pamatanda;
asi kana zvipfuwo zvichishaiwa simba haana kuaisa; naizvozvo zvakanga zvisina simba zvakanga zviri zvaRabhani
Murume uyu akava mukuru kwazvo, akava nezvipfuwo zvizhinji, navaranda, navarandakadzi, namakamera, namadhongi.

31

Zvino Jakobho akanzwa mashoko avanakomana vaRabhani, vachiti, Jakobho atora zvose zvaiva zvababa vedu; azviwanira fuma yose iyi kune zvaiva zvababa vedu.
Jakobho akaonawo kuti chiso chaRabhani chakanga chisakaita kwaari sapakutanga.
Jehovha akati kuna Jakobho, Dzokera kunyika yamadzibaba ako, nokuhama dzako; ini ndichava newe.
lpapo Jakobho akatuma munhu kundodana Rakeri naRea vauye kusango kuzvipfuwo zvake;
akati kwavari, Ndinoona kuti chiso chababa venyu hachizakaita kwandiri sapakutanga; asi Mwari wababa vangu akanga aneni.
Munoziva kuti ndakabatira baba venyu nesimba rangu rose.
Baba venyu vakandinyengedzera, vakashandura mubayiro wangu kagumi; asi Mwari haana kutendera kuti vandiitire zvakaipa.
Kana vakati, Zvina mavara ngazvive mubayiro wako, zvipfuwo zvose ndokubereka zvina mavara; kana vakati, Zvine mitsetse ngazvive mubayiro wako, zvipfuwo zvose ndokubereka zvine mitsetse.
Naizvozvo Mwari akatorera baba venyu zvipfuwo zvavo, akandipa ini izvozvo.
Zvino zvipfuwo zvakati zvichitora mazamu, ndakatarira ndikaona pakurota kwangu nhongo, dzakanga dzichikwira zvipfuwo, dzakanga dzine mitsetse, namavara, nedzakaita pfumbu.
Ipapo mutumwa waMwari akati kwandiri pakurota kwangu, Jakobho! Ini ndikati, Ndiri pano hangu.
Akati, Zvino tarira, uone, kuti nhongo dzose, dzinokwira zvipfuwo, dzinemitsetse, namavara, dzakaita pfumbu; nokuti ndazviona zvose Rabhani zvaanoita kwauri.
Ndini Mwari weBheteri, paya pawakazodza shongwe, paya pawakandipikira mhiko; zvino simuka, ubve munyika ino, udzokere kunyika kwawakaberekerwa.
Ipapo Rakeri naRea vakapindura vakati kwaari, Ko tichine mugove nenhaka kuimba yababa vedu here?
Hatizi tatova vatorwa kwavari here? Nokuti vakatitengesa, vakapedzawo chose mutengo wedu.
Nokuti fuma yose, yakatorerwa baba vedu naMwari, ndeyedu neyavana vedu; naizvozvo zvino chiita hako sezvawaudzwa naMwari.
Ipapo Jakobho akasimuka, akatasvisa vana vake navakadzi vake pamakamera;
akatora zvipfuwo zvake zvose, nefuma yake yose, yaakanga aunganidza, zvipfuwo zvaakanga apfuwa, zvaakanga aunganidza paPadhanaramu, kuti aende kuna Isaka baba vake, kunyika yeKenani.
Zvino Rabhani akanga aenda kundoveura makushe amakwai ake; Rakeri akaba chifananidzo chainamatwa chababa vake.
Jakobho akanyengedzera Rabhani, muAramu, nokuti haana kumuudza kuti ndotiza.
Naizvozvo akatiza nezvose zvaakanga anazvo; akasimuka, akayambuka Rwizi, akaringira kugomo reGiriadhi.
Zvino nomusi wetatu Rabhani akaudzwa kuti Jakobho watiza.
Iye akaenda nehama dzake, akamuteverera rwendo rwamazuva manomwe; akandomubata kugomo reGiriadhi.
Mwari akauya kuna Rabhani, muAramu, pakurota usiku, akati kwaari, Chenjera, kuti urege kutaura kuna Jakobho chinhu, kana chakanaka kana chakaipa.
Rabhani akasvika kuna Jakobho. Zvino Jakobho akanga adzika tende rake mugomo; Rabhani nehama dzake vakadzika matende avowo mugomo reGiriadhi.
Zvino Rabhani akati kuna Jakobho, Waita seiko iwe, nokuti wandinyengedzera, ukaenda navakunda vangu vakaita savakatapwa nomunondo?
Watizireiko pakavanda, ukandinyengedzera; wakaregerei kundiudza, ndikakutendera kuti uende nomufaro, nenziyo, nengoma, norudimbwa?
Hauna kunditendera kuti nditsvode vanakomana vangu navakunda vangu. Zvino waita sebenzi.
Ndine simba paruoko rwangu rokukuitira zvakaipa; asi Mwari wababa vako akataura neni usiku hwazuro, akati, Chenjera, kuti urege kutaura kuna Jakobho kana chakanaka kana chakaipa.
Zvino, kana wakada kuenda hako, zvawakanga uchishuva zvikuru imba yababa vako, wagobireiko vamwari vangu?
Jakobho akapindura, akati kuna Rabhani, Nokuti ndakanga ndichitya, nokuti ndakati, Zvimwe munganditorera vakunda venyu nesimba.
Iye wamungawana ana vamwari venyu, ngaarege kurarama. Zvino hama dzedu dzichiriko, natsai kutsvaka zvinhu zvenyu zviri kwandiri, mugozvitora; nokuti Jakobho akanga asingazivi kuti Rakeri akanga azviba.
Zvino Rabhani akapinda mutende raJakobho, nomutende raRea, nomutende ravarandakadzi vaviri, asi haana kuzviwana. Ipapo akabuda patende raRea, akapinda patende raRakeri.
Zvino Rakeri akanga atora vamwari, akavaisa muchigaro chekamera, akagara pamusoro pazvo. Rabhani akabata-bata pose mutende, asi haana kuzviwana.
Iye akati kuna baba vake, Ishe wangu ngaarege kutsamwa, nokuti handigoni kusimuka pamberi penyu; nokuti mutoo wavakadzi uri kwandiri. Iye akatsvakisisa, asi haana kuwana vamwari.
Zvino Jakobho akatsamwa, akapopotera Rabhani; Jakobho akapindura akati kuna Rabhani, Kudarika kwangu ndokweiko? Ko kutadza kwangu ndokwei, zvamanditevera neshungu dzakadai?
Zvino zvamabata-bata nhumbi dzangu dzose, magowaneiko panhumbi dzose zvokumba kwenyu? Zviisei pano pamberi pehama dzangu nedzenyu, vatonge pakati pedu isu vaviri.
Ndakagara nemi makore aya makumi maviri; matunzvi enyu amakwai nenhunzvi dzenyu dzembudzi hazvina kusvodza, makondohwe enyu amakwai handina kuadya.
Zvakarumwa nezvikara handina kuuya nazvo kwamuri; asi ndakazviripa ini; makazvireva pamaoko angu, kana zvakabiwa masikati, kana zvakabiwa usiku.
Masikati ndakafa nezuva, usiku nechando; hope dzangu dzikabva kumeso angu.
Makore aya makumi maviri ndakagara mumba menyu; ndakakubatirai makore ane gumi namana pamusoro pavakunda venyu vaviri, namakore matanhatu pamusoro pezvipfuwo zvenyu; mukashandura mubayiro wangu kagumi.
Dai Mwari wababa vangu, Mwari waAbhurahamu, iye wakatyiwa naIsaka, asaiva neni, zvirokwazvo mungadai maindiendesa ndisina chinhu. Mwari akaona kutambudzika kwangu namabasa amaoko angu, akakurairai usiku hwazuro.
Rabhani akapindura, akati kuna Jakobho, Vakunda ava vakunda vangu; vana ava vana vangu; zvipfuwo izvi zvipfuwo zvangu, nezvose zvaunoona ndezvangu; nhasi ndingaitei kuvakunda vangu ava, kana vana vavo vavakazvara?
Uya zvino ngatiite sungano, ini newe; chive chapupu pakati pangu newe.
Jakobho akatora ibwe, akarimisa, rikava shongwe.
Jakobho akati kuhama dzake, Unganidzai mabwe; ivo vakatora mabwe, vakaita murwi; vakadya ipapo pamurwi.
Rabhani akautumidza Jegarisahadhuta; asi Jakobho akautumidza Garidhi.
Rabhani akati, Murwi uyu ngachive chapupu pakati pangu newe zuva ranhasi. Naizvozvo akatumidzwa zita rinonzi Garidhi,
uyewo Mizipa, nokuti akati, Jehovha ngaarinde pakati pangu newe, kana tisingaonani.
Kana ukazotambudza vakunda vangu, kana kuwana vamwe vakadzi kunze kwavakunda vangu, hakuna munhu achava nesu; asi tarira, Mwari ndicho chapupu pakati pangu newe.
Zvino Rabhani akati kuna Jakobho, Tarira murwi uyu, tarira shongwe iyi, yandakamisa pakati pangu newe.
Murwi uyu chichava chapupu, neshongwe iyi chichava chapupu, kuti ini handingapfuuri murwi uyu, neshongwe iyi, ndichienda kwauri, kuti tiitirane zvakaipa.
Mwari waAbhurahamu, Mwari waNahori, Mwari wababa vavo, ngaatonge pakati pedu. Jakobho akapika naiye waityiwa naIsaka, baba vake.
Ipapo Jakobho akabayira chibayiro mugomo; akakoka hama dzake kuti vadye zvokudya; vakadya zvokudya, vakavata usiku mugomo.
Rabhani akamuka mangwanani, akatsvoda vanakomana vake navakunda vake, akavaropafadza; Rabhani akabva, akadzokera kumusha kwake.

32

Zvino Jakobho akaenda nenzira yake, vatumwa vaMwari ndokusangana naye.
Akati achivaona, Jakobho akati, Ihondo yaMwari; akatumidza nzvimbo iyoyo zita rinonzi Mahanaimi.
Zvino Jakobho akatuma nhume pamberi pake kuna Esau, mukuru wake, kunyika yeSeiri, munyika yeEdhomu.
Akavaraira, akati, Taurai nashe wangu, Esau, muti, Zvanzi nomuranda wenyu Jakobho, ndakanga ndiri mutorwa kuna Rabhani, ndikagarako kusvikira zvino;
ndine mombe, nembongoro, namakwai, navaranda, navarandakadzi; ndatuma vanhu kuzoudza ishe wangu izvozvi, kuti ndiwane nyasha pamberi penyu.
Nhume dzikadzokera kuna Jakobho, dzikati, Takandosvika kumukuru wenyu Esau; naiye anouya kuzosangana nemi ana varume vana mazana mana.
Jakobho akatya kwazvo, akatambudzika; akaparadzanisa vanhu vaakanga anavo, namakwai nemombe namakamera, akaita mapoka maviri;
akati, Kana Esau akasvika kune rimwe boka, akariparadza, boka rakasara ringatiza.
Zvino Jakobho akati, imwi, Mwari wababa vangu Abhurahamu, naMwari wababa vangu Isaka; imwi Jehovha, ndimwi makati kwandiri, Dzokera kunyika yako, nokuhama dzako, ndigokuitira zvakanaka;
handina kufanirwa nenyasha dzenyu dzose nokutendeka kwenyu kwose kwamakaitira muranda wenyu; nokuti ndakayambuka Jorodhani urwu netsvimbo yangu yoga; zvino ndava mapoka maviri.
Dondirwirai paruoko rwomukuru wangu, paruoko rwaEsau; nokuti ndinomutya, kuti achauya akandiparadza ini, namai, pamwechete navana.
Ndimwi makati, Zvirokwazvo ndichakuitira zvakanaka, ndichaitawo rudzi rwako sejecha regungwa, risingagoni kuverengwa nokuwanda kwaro.
Akavatapo usiku ihwohwo; akatora zvimwe kune zvaakanga anazvo, kuti chive chipo kuna Esau, mukuru wake;
zvaiti: Nhunzvi dzembudzi dzina mazana maviri, nenhongo dzina makumi maviri, namatunzvi amakwai ana mazana maviri, namakondohwe ana makumi maviri,
namakamera anokamwa ana makumi matatu nemhuru dzawo, nemhou dzemombe dzina makumi mana, nehando dzemombe dzine gumi, namakadzi embongoro ana makumi maviri, nemhuru dzine gumi.
Akazvipa mumaoko avaranda vake, boka rimwe nerimwe riri roga; akati kuvaranda vake, Yambukai pamberi pangu, musiye runhambo pakati peboka rimwe nerimwe.
Akaraira wokutanga, akati, Kana Esau, mukuru wangu, akasangana newe, akabvunza, achiti, Uri munhu waaniko? Unoendepiko? Izvi zviri pamberi pako ndezvaani?
Uti, Ndezvomuranda wenyu Jakobho; chipo chakatumirwa ishe wangu Esau; tarirai, naiye ari kumashure kweduwo;
akarairawo wechipiri newechitatu, navose vakanga vachitevera mapoka, akati, Kana mukamuwana Esau, mutaure kwaari muchidaro;
muti, Tarirai, naiye muranda wenyu Jakobho ari mumashure medu. Nokuti akati, Ndichambomunyaradza nechipo chinonditungamirira, ndigoti ndoona chiso chake; zvimwe achandigamuchira.
Naizvozvo chipo chakayambutswa mberi kwake; asi iye pachake akavata usiku ihwohwo pakati peungano.
Zvino akamuka usiku ihwohwo, akatora vakadzi vake vaviri navarandakadzi vake vaviri, navana vake vane gumi nomumwe, akayambuka pazambuko raJakobho.
Akavatora, akavayambutsa parukova, akayambutsawo zvaakanga anazvo.
Asi Jakobho akasara ari oga; mumwe murume akaita mutsimba naye kusvikira utonga huchitsvuka.
Zvino akati achiona kuti haagoni kumukunda, akamubata pahudyu, hudyu ikatyoka nemitsimba naye.
Iye akati, Chindirega ndiende, nokuti utonga hwotsvuka. Iye akati, Handingakuregei kuti muende, musati mandiropafadza.
Akati kwaari, Zita rako ndianiko? Iye akati, Jakobho.
Akati, Zita rako harichazonzi Jakobho, asi Isiraeri; nokuti wakarwa naMwari navanhu, ukakunda.
Jakobho akamubvunza, akati, Ndiudzeiwo zita renyu. Iye akati, Unondibvunzireiko zita rangu? Akamuropafadza ipapo.
Zvino Jakobho akatumidza nzvimbo iyoyo zita rinonzi Penieri; nokuti akati, Ndakaonana naMwari, upenyu hwangu hukachengetwa.
Zuva rikamubudira achipfuura napaPenieri; akakamhina pahudyu yake.
Naizvozvo vana vaIsiraeri havadyi nanhasi runda rehudyu riri papfupa rehudyu; nokuti akabata hudyu yaJakobho parunda rehudyu.

33

Zvino Jakobho akasimudza meso ake, akatarira, akaona Esau achiuya ana varume vana mazana mana. Akagovera vana kuna Rakeri naRea navarandakadzi vaviri.
Akaisa varandakadzi navana vavo mberi, Rea navana vake shure kwavo, naRakeri naJosefa pakupedzisira.
Iye pachake akapfuura achivatungamirira, akakotamira pasi kanomwe, kusvikira aswedera pedo nomukuru wake.
Ipapo Esau akamhanyira kundosangana naye, akamumbundikira, akawira pamutsipa wake, ndokumutsvoda; vakachema vose.
Akasimudza meso ake, akaona vakadzi navana, akati, Ava vaunavo ndivanani? Iye akati, Ndivo vana vakapiwa muranda wenyu naMwari nenyasha dzake.
Varandakadzi vakaswedera, ivo navana vavo, vakakotama.
NaRea navana vake vakaswederawo, vakakotama; pashure Josefa naRakeri vakaswedera, vakakotama.
Akati, Ko boka iri rose randasangana naro ndereiko? Iye akati, Kuti ndiwane nyasha kuna ishe wangu.
Esau akati, Ini ndine zvizhinji, munununa wangu; izvo zvaunazvo, ngazvive zvako.
Jakobho akati, Kwete,kana ndawana nyasha kwamuri zvino, ndinokumbira kuti mugamuchire chipo changu paruoko rwangu; nokuti ndaona chiso chenyu, chikaita sechiso chaMwari, mukafara neni.
Gamuchirai henyu chipo changu chamunopiwa; nokuti Mwari akandiitira nyasha, ndine zvizhinji. Akamugwaririra, akazochitora.
Akati, Ngatipfuure hedu parwendo rwedu, tiende, ini ndichakutungamirira.
Iye akati kwaari, Ishe wangu anoziva kuti vana vachiri vaduku, uye kuti makwai nemombe zvandinazvo zvinoyamwisa; kana vakazvitinhisa zuva rimwe, zvipfuwo zvose zvichafa.
Ishe wangu ngaapinde hake mberi kwomuranda wake; ini ndichanyatsozvisesedza sezvazvinogona kufamba, izvo zvipfuwo zviri pamberi pangu, navana sezvavanogona kufamba, kudzimara ndasvika kuna ishe wangu paSeiri.
Esau akati, Zvino ngandisiye kwauri vamwe vanhu vandinavo. Iye akati, Muchaitireiko kudaro? Ndiwane hangu nyasha kuna ishe wangu.
Naizvozvo Esau akadzoka zuva iroro, akaenda Seiri.
Asi Jakobho akaenda Sukoti, akazvivakira imba, akaitira zvipfuwo zvake matanga; naizvozvo zita renzvimbo iyoyo rakanzi Sukoti.
Jakobho akasvika zvakanaka kuguta reShekemu, riri panyika yeKenani, pakubva kwake paPadhanaramu; akadzika matende ake pakatarisana neguta.
Akatenga rutivi rwenyika, paakanga apetenura tende rake, kuvana vaHamori, baba vaShekemu, nezana remari.
Akavakapo aritari, akaritumidza zita rinonzi ErieroheIsiraeri.

34

Zvino Dhina, mwanasikana waRea, waakaberekera Jakobho, akabuda kundoona vakunda venyika iyoyo.
Ipapo Shekemu, mwanakomana waHamori, muHivhi, muchinda wenyika, akamuona; akamutora, akavata naye, akamunyadza.
Mweya wake ukanamatira Dhina, mukunda waJakobho, akamuda musikana uyo, akataura zvakafadza moyo womusikana.
Zvino Shekemu akataura nababa vake, Hamori akati, Nditorerei musikana uyo, ave mukadzi wangu.
Zvino Jakobho akanzwa kuti akachinyira Dhina, mukunda wake; vanakomana vake vakanga vari kuzvipfuwo zvake kusango, Jakobho akanyarara hake kusvikira vauya.
Hamori, baba vaShekemu, vakaenda kuna Jakobho kundotaurirana naye.
Vakati vachinzwa izvozvo vanakomana vaJakobho vakauya vachibva kusango; zvino varume ava vakanga vane shungu kwazvo, vakatsamwa zvikuru, nokuti akanga aita chinhu chakaipa kwazvo pakati pavaIsiraeri kuti avate nomukunda waJakobho; chinhu icho chakanga chisingafaniri kuitwa.
Zvino Hamori akataurirana navo, akati, Mweya womwanakomana wangu, Shekemu, unoshuva mukunda wenyu; domupai henyu iye, ave mukadzi wake.
Wananai henyu nesu, tipei vakunda venyu, mugotora vakunda vedu.
Garai henyu nesu, nyika ichava pamberi penyu; garaimo, mushambadzire, muzviunganidziremo fuma.
Ipapo Shekemu akati kuna baba vake nokuhanzvadzi dzake, Ndiwane hangu nyasha kwamuri; zvamunoreva kwandiri, ndichakupai.
Kumbirai henyu kwandiri roora guru nechipo chikuru; zvamunoreva kwandiri ndichakupai; asi ndipei musikana ave mukadzi wangu.
Ipapo vana vaJakobho vakapindura Shekemu naHamori, baba vake, nokunyengera, vakataura nokuti akanga achinyira hanzvadzi yavo Dhina,
vakati kwavari, Hatingagoni kuita chinhu ichi, kuti tipe munhu asina kudzingiswa hanzvadzi yedu, nokuti izvozvi zvingatinyadza;
tingatenderana nemi kwoga kana mukaita chinhu ichi, kuti muve sesu, murume mumwe nomumwe ari kwamuri adzingiswe;
ipapo isu tichakupai vakunda vedu, nesuo tichatora vakunda venyu; tigare nemi, tive savanhu vamwe.
Kana musingatitereri, kuti mudzingiswe, tichatora mukunda wedu, tikabva.
Mashoko avo akafadza Hamori naShekemu, mwanakomana waHamori.
Jaya harina kunonoka kuita chinhu ichocho, nokuti akanga achifarira mukunda waJakobho; naiye akanga achikudzwa kupfuura vose veimba yose yababa vake.
Zvino Hamori naShekemu, mwanakomana wake, vakauya kusuo reguta ravo, vakataurirana navanhu veguta ravo vakati,
Vanhu ava vane rugare nesu; naizvozvo ngavagare havo munyika ino, vashambadziremo; nokuti tarirai nyika inovaringana; ngatitore vakunda vavo vave vakadzi vedu, nesu tivape vakunda vedu.
Asi vanhu ava vachatenderana nesu kugara nesu, nokuita savanhu vamwe nesu, kwoga kana tichiita chinhu ichi, kuti varume vose kwatiri vadzingiswe, sezvavakadzingiswa ivo.
Ko mombe dzavo, nefuma yavo, nezvipfuwo zvavo zvose hazvichavi zvedu here? Ngatitenderane navo kwoga, vagogara nesu.
Zvino vose vaibuda pasuo reguta rake vakateerera Hamori, naShekemu, mwanakomana wake; ipapo varume vose vakadzingiswa, vose vaibuda pasuo reguta rake.
Zvino pazuva retatu, vachiri pakurwadziwa, vanakomana vaviri vaJakobho, Simiyoni naRevhi, hanzvadzi dzaDhina, vakatora mumwe nomumwe munondo wake, vakapinda muguta vanhu vasingarindiri, vakauraya varume vose.
Vakauraya Hamori naShekemu, mwanakomana wake, neminondo inopinza, vakatora Dhina mumba maShekemu, vakaenda.
Vanakomana vaJakobho vakaenda kune vakauraiwa, vakapamba guta, nemhaka yokuti vakanga vachinyira hanzvadzi yavo.
Vakatora makwai avo, nemombe dzavo, nembongoro dzavo, nezvakanga zviri muguta, nezvakanga zviri kusango;
vakatapa fuma yavo yose, navana vavo vaduku, navakadzi vavo, vakazviita mhambara, nezvinhu zvose zvakanga zviri mudzimba.
Ipapo Jakobho akati kuna Simeoni naRevhi, Manditorera mufaro, zvamandinhuwisa pakati pavanhu vanogara munyika ino, pakati pavaKenani navaPerezi; ini zvandiine vanhu vashoma, vachandiunganira, vakandiuraya; ndichaparadzwa ini neveimba yangu.
Ivo vakati, Iye agoitireiko nehanzvadzi yedu sezvinoitwa nechifeve?

35

Zvino Mwari akati kuna Jakobho, Simuka, ukwire Bheteri, undogara ikoko; uitire Mwari aritari ipapo, iye akazviratidza kwauri panguva yokutiza kwako pamberi paEsau, mukuru wako.
Ipapo Jakobho akati kumhuri yake, navose vakanga vanaye, Bvisai vamwari vedzimwe ndudzi vari pakati penyu, zvinatsei, mufuke dzimwe nguvo;
tisimuke, tikwire Bheteri; ipapo ndichaitira Mwari aritari, iye akanga aneni panzira yandakanga ndichifamba nayo.
Ivo vakapa Jakobho vamwari vose vedzimwe ndudzi vakanga vari pamaoko avo, nezvindori zvakanga zviri panzeve dzavo; Jakobho akazvicherera pasi pomuti womuouki wakanga uri paShekemu.
Vakapfuura norwendo rwavo, maguta akanga akavakomba akatya Mwari kwazvo, vakasateverera vanakomana vaJakobho.
Jakobho akasvika Ruzi, guta riri panyika yeKenani (rimwe zita ndiBheteri), iye navanhu vose vaakanga anavo.
Akavakapo aritari, akatumidza zita renzvimbo iyoyo kuti Eribheteri; nokuti Mwari akanga azviratidza kwaari ipapo, panguva yokutiza kwake pamberi pomukuru wake.
Debhora, mureri waRabheka, akafa, akavigwa zasi kweBheteri munyasi momuouki; zita rapo rikanzi Aronibhakuti.
Ipapo Mwari akazviratidzazve kuna Jakobho pakubva kwake Padhanaramu, akamuropafadza.
Mwari akati kwaari, Zita rako ndiJakobho, zita rako harichazonzi Jakobho, asi zita rako richanzi Isiraeri; akamutumidza zita rinonzi Isiraeri.
Zvino Mwari akati kwaari, Ndini Mwari Wamasimbaose; bereka vana, uwande; rudzi neboka rendudzi zvichabuda kwauri, namadzishe achabuda pachiuno chako;
nyika yandakapa Abhurahamu naIsaka, ndichakupa iyoyo; vana vako vanokutevera ndichavapa nyika iyoyo.
Mwari akakwira, akabva kwaari, ipapo paakanga achitaura naye.
Jakobho akamisa shongwe ipapo paakanga ataura naye, shongwe yebwe; akadurura pamusoro payo chipiriso chinodururwa, akadirawo mafuta pamusoro payo.
Jakobho akatumidza nzvimbo iyoyo, pakanga pataura Mwari naye, zita rinonzi Bheteri.
Zvino vakafamba vachibva Bheteri; chinhambo chakanga chichipo chokusvika Efurata; Rakeri akazvara, akatambudzika pakupona kwake.
Akati achitambudzika pakupona kwake, mbuya vakati kwaari, Usatya hako, nokuti zvino uchava nomumwe mwanakomanazve.
Zvino mweya wake wakati uchibuda (nokuti wakafa), akamutumidza Bhenoni; asi baba vake vakamutumidza Bhenjamini.
Rakeri akafa, akavigwa panzira inoenda Efurata (rimwe zita ndiBheterehemu).
Jakobho akamisa shongwe pamusoro perinda rake, ndiyo shongwe yerinda raRakeri kusvikira zuva ranhasi.
Isiraeri akafamba, akapfuurira mberi, akadzika tende rake neseri kweshongwe yeEdheri.
Zvino Isiraeri agere munyika iyoyo, Rubheni akandovata naBhiriha, murongo wababa vake, Isiraeri akazvinzwa. Zvino vanakomana vaJakobho vaiva gumi navaviri;
vanakomana vaRea: Rubheni, dangwe raJakobho, naSimiyoni, naRevhi, naJudha, nalsakari, naZebhuroni;
vanakomana vaRakeri: Josefa naBhenjamini;
vanakomana vaBhiriha, murandakadzi waRakeri: Dhani naNafutari;
vanakomana vaZiripa, murandakadzi waRea: Gadhi naAsheri. Ndivo vanakomana vaJakobho, vaakazvarirwa paPadhanaramu.
Jakobho akasvika kuna Isaka, baba vake paMamure, paKiriyatiabha (rimwe zita ndiHebhuroni), paigara Abhurahamu naIsaka vari vatorwa.
Mazuva aIsaka akanga ari makore ane zana namakumi masere.
Mweya waIsaka ukabuda, akafa, akasanganiswa navanhu vake, akwegura, ava namazuva mazhinji; Esau naJakobho, vanakomana vake, vakamuviga.

36

Ndiwo marudzi aEsau (rimwe zita ndiEdhomu):
Esau akawana vakadzi vake kuvakunda veKenani, vaiti: Adha, mukunda waEroni, muHeti, naHoribhama, mukunda waAna, mukunda waZibhioni, muHivhi;
naBhasimati, mukunda waIshimaeri, hanzvadzi yaNebhayoti.
Adha akabereka Esau Erifazi; Bhasimati akabereka Rueri;
Ohoribhama akabereka Jeushi, naJarami, naKora; ndivo vanakomana vaEsau, vaakaberekerwa panyika yeKenani.
Zvino Esau akatora vakadzi vake, navanakomana vake, navakunda vake, navanhu vose veimba yake, nezvipfuwo zvake, nemombe dzake dzose, nefuma yake yose yaakanga aunganidza munyika yeKenani, akaenda kunyika iri kure nomunununa wake Jakobho.
Nokuti fuma yavo yakanga yawanda, naizvozvo vakanga vasingagoni kugara panzvimbo imwe; nyika youtorwa hwavo yakanga isingavaringani nokuda kwezvipfuwo zvavo.
Esau akandogara kugomo reSeiri; Esau ndiye Edhomu.
Marudzi aEsau, baba vavaEdhomu, kugomo reSeiri, ndiwo:
Mazita avanakomana vaEsau ndiwo: Erifazi, mwanakomana waAdha, mukadzi waEsau, naRueri, mwanakomana waBhasimati, mukadzi waEsau.
Vanakomana vaErifazi vaiva Temani, naOmari, naZefo, naGatamu, naKenazi.
Timuna akanga ari murongo waErifazi, mwanakomana waEsau; iye akaberekera Erifazi Amareki; ndivo vanakomana vaAdha, mukadzi waEsau.
Vanakomana vaRueri ndivo: Nahati, naZera, naShama naMiza; ndivo vanakomana vaBhasimati, mukadzi waEsau.
Vanakomana vaOhoribhama, mukunda waAna, mukunda waZibhioni, mukadzi waEsau, ndivo: iye akaberekera Esau Jeushi, naJarami, naKora.
Ava ndivo madzishe pakati pavana vaEsau: Vanakomana vaErifazi, dangwe raEsau: Ishe Temani, nashe Omari, nashe Zefo, nashe Kenazi,
nashe Kora, nashe Gatamu, nashe Amareki; ndiwo madzishe okwaErifazi munyika yeEdhomu; ndivo vanakomana vaAdha.
Ava ndivo vanakomana vaRueri, mwanakomana waEsau: Ishe Nahati, nashe Zera, nashe Shama, nashe Miza; ndiwo madzishe okwaRueri munyika yeEdhomu; ndivo vanakomana vaBhasimati, mukadzi waEsau.
Ava ndivo vanakomana vaOhoribhama, mukadzi waEsau: Ishe Jeushi, nashe Jarami, nashe Kora; ndiwo madzishe okwaOhoribhama, mukunda waAna, mukadzi waEsau.
Ndivo vanakomana vaEsau, ndiwo madzishe avo. Ndiye Edhomu.
Ndivo vanakomana vaSeiri, muHori, vaigara panyika iyo: Rotani, naShobharu, naZibhioni, naAna,
naDhishoni, naEzeri, naDhishani; ndiwo madzishe okuvaHori, vanakomana vaSeiri munyika yeEdhomu.
Vanakomana vaRotani, vaiva Hori, naHemani; hanzvadzi yaRotani aiva Timuna.
Ava ndivo vanakomana vaShobharu: Avhani, naManahati, naEbhari, naShefo, naOnamu.
Ava ndivo vanakomana vaZibhioni: Aja, naAna; ndiye Ana akawana matsime emvura inopisa kusango, achifudza mbongoro dzaZibhioni, baba vake.
Ava ndivo vanakomana vaAna: Dhishoni, naOhoribhama, mukunda waAna.
Ava ndivo vanakomana vaDhishoni: Hemudhani, naEshibhani, naIturani, naKerani.
Ava ndivo vanakomana vaEzeri: Bhirihani, naZaavhani, naAkani.
Ava ndivo vanakomana vaDhishani: Uzi naArani.
Ava ndiwo madzishe okuvaHori: Ishe Rotani, nashe Shobharu, nashe Zibhioni, nashe Ana,
nashe Dhishoni, nashe Ezeri, nashe Dhishani; ndiwo madzishe okuvaHori, namarudzi avo munyika yeSeiri.
Ava ndivo madzimambo akabata ushe munyika yeEdhomu, vana vaIsiraeri vachigere kuva namadzimambo:
Bhera, mwanakomana waBheori, akabata ushe paEdhomu; zita reguta rake rainzi Dhinihabha.
Akafa, Jobhabhu, mwanakomana waZera weBhozara akabata ushe pachigaro chake.
Jobhabhu akafa, Hushamu wenyika yavaTemani akabata ushe pachigaro chake.
Hushamu akafa, Hadhadhi, mwanakomana waBhedhadhi, uya akauraya Midhiani kusango reMoabhu, akabata ushe pachigaro chake; zita reguta rake rainzi Avhiti.
Hadhadhi akafa, Samura weMasereka akabata ushe pachigaro chake.
Samura akafa, Shauri weRehobhoti paRwizi akabata ushe pachigaro chake.
Shauri akafa, Bhaarihanani, mwanakomana waAkibhori akabata ushe pachigaro chake.
Bhaarihanani, mwanakomana waAkibhori, akafa, Hadhari akabata ushe pachigaro chake; zita reguta rake rainzi Pau; zita romukadzi wake rainzi Mehetabheri, mukunda waMatiredhi, mukunda waMehazahadhi.
Aya ndiwo mazita amadzishe okwaEsau, nedzimba dzavo, namaguta avo, namazita avo; Ishe Timuna, nashe Arivha, nashe Jeteti;
nashe Ohoribhama, nashe Era, nashe Pinoni;
nashe Kenazi, nashe Temani, nashe Mibhizari;
nashe Magidhieri, nashe Iramu; ndiwo madzishe aEdhomu, pavakagara munyika yakanga iri yavo. Ndiye Esau, baba vaEdhomu.

37

Zvino Jakobho akagara munyika youtorwa hwababa vake, munyika yeKenani.
Marudzi aJakobho ndiwo: Josefa akanga ana makore ane gumi namanomwe, akafudza makwai pamwechete navakoma vake; akanga achiri mukomana pamwechete navanakomana vaBhiriha, navanakomana vaZiripa, vakadzi vababa vake; Josefa akasivaudzira kuna baba vavo.
Zvino Isiraeri akanga achida Josefa kupfuura vana vake vose, nokuti akanga ari mwanakomana woutana hwake; akamuitira nguvo yakanga yakareba ina maoko.
Vakoma vake vakaona kuti baba vavo vanomuda kupfuura vakoma vake vose; vakamuvenga, vakasagona kutaura naye nomufaro.
Zvino Josefa akarota hope, akaudza vakoma vake, ipapo vakanyanya kumuvenga.
Akati kwavari, Inzwaiwo hope dzangu dzandarota.
Tarirai, takanga tichisunga zvisote mumunda, onei chisote changu chikasimuka, chikaramba chimire; ndikaona zvisote zvenyu zvichikomba changu, zvikakotama pamberi pechisote changu.
Vakoma vake vakati kwaari, Ko iwe uchabata ushe pamusoro pedu kanhi? Ko iwe uchava nesimba pamusoro pedu kanhi? Vakanyanya kumuvenga nokuda kwokurota kwake nokwamashoko ake.
Akapamha kurotazve, akaudza vakoma vake, akati, Tarirai, ndarotazve dzimwe hope; ndakaona zuva, nomwedzi, nenyeredzi dzine gumi neimwe, dzichikotamira pamberi pangu.
Akaudza baba vake navakoma vake izvozvo; baba vake vakamutuka, vakati kwaari, Kurota kwako uku kwawarota kurota kunyi? Ini namai vako navakoma vako tichauya tikakotama pasi pamberi pako kanhi?
Vakoma vake vakamugodora; asi baba vake vakachengeta shoko iro.
Zvino vakoma vake vakandofudza makwai ababa vavo paShekemu.
Isiraeri akati kuna Josefa, Vakoma vako havafudzi makwai paShekemu here? Uya ndikutumire kwavari. Iye akati, Ndiri pano hangu.
Akati kwaari, Zvino chienda undotarira kana vakoma vako vakafara, namakwai kana akafarawo; ugodzoka kuzondiudza. Naizvozvo akamutuma, ari pamupata weHebhuroni, akandosvika Shekemu.
Zvino mumwe murume akamuwana achidzungaira musango; murume akamubvunza, akati, Unotsvakeiko?
Iye akati, Ndinotsvaka vakoma vangu; dondiudza hako kwavanofudza makwai.
Murume akati, Vabva pano, nokuti ndakavanzwa vachiti, Ngatiende Dhotani. Josefa akatevera vakoma vake, akandovawana paDhotani.
Ivo vakamuona achiri kure; zvino asati asvika kwavari, vakarangana kuti vamuuraye.
Vakataurirana, vachiti, Hoyo muroti uya wauya.
Uyai zvino timuuraye, timukandire mune rimwe ramakomba aya, tigoti, Wadyiwa nechikara; tigoona kuti kurota kwake kuchazoitwa seiko.
Rubheni akazvinzwa, akamurwira mumaoko avo, akati, Ngatirege kumuuraya.
Rubheni akati kwavari, Musadurura ropa; mukandirei mugomba iri riri musango, asi regai kutambanudza maoko enyu kwaari; kuti amurwire pamaoko avo, agomudzosera kuna baba vake.
Zvino Josefa akati asvika kuvakoma vake, vakabvisira Josefa nguvo yake, nguvo iya yakanga yakareba ina maoko, yaakanga akafuka;
vakamutora, vakamukandira mugomba; gomba rakanga risina chinhu, makanga musina mvura.
Vakagara pasi, vakadya zvokudya; zvino vakasimudza meso avo, vakatarira, vakaona boka ravaIshimaeri vachifamba, vachibva Giriyadhi, makamera avo akatakura zvinhu zvinonhuwira, nebarisami, nemura, vachindozviisa Ijipiti.
Zvino Judha akati kuvana vababa vake, Tingawaneiko kana tikauraya munununa wedu tichivanza ropa rake?
Uyai timutengese kuvaIshimaeri; maoko edu arege kuva kwaari; nokuti munun una wedu, nyama imwe nesu. Vana vababa vake vakamuteerera.
Zvino vatengesi vavaMidhiani vakapfuurapo, vakakwidza Josefa vachimubudisa mugomba, vakatengesa Josefa kuvaIshimaeri namashekeri ana makumi maviri; ivo vakaisa Josefa Ijipiti.
Zvino Rubheni akadzokera kugomba, akawana Josefa asisimo mugomba; akabvarura nguvo dzake.
Akadzokera kuvanununa vake, akati, Mwana haachipo; ini zvino ndichaendepiko?
Zvino vakatora nguvo yaJosefa, vakauraya nhongo yembudzi, vakanyika nguvo muropa;
vakatumira nguvo iyo yakareba ina mavoko kuna baba vavo, vakati, Tanonga chinhu ichi; fananidzai zvakanaka kana iri nguvo yomwanakomana wenyu, kana isati iri iyo.
Ivo vakafananidza vakati, Inguvo yomwanakomana wangu; wadyiwa nechikara; Josefa zvirokwazvo waparadzwa.
Jakobho akabvarura nguvo dzake, akasimira madhumbu pachiuno chake, akachema mwanakomana wake mazuva mazhinji.
Vanakomana vake vose navakunda vake vose vakasimuka vakamunyaradza; asi akaramba kunyaradzwa, akati, Ndichaburukira kuhwiro kumwanakomana wangu, ndichichema. Baba vake vakamuwungudzira.
Zvino vaMidhiani vakandomutengesa Ijipiti kuna Potifari, muranda waFarao, mukuru wavarindi.

38

Nenguva iyoyo Judha akabva kuvana vababa vake, akaburuka, akatsaukira kuno mumwe murume muAdhuramu, ainzi Hira.
Judha akaonapo mukunda womumwe munhu muKenani, ainzi Shua, akamutora, akapinda kwaari.
Iye akava nemimba, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Eri.
Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Onani.
Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Shera; iye akanga ari paKezibhi mukadzi wake achimubereka.
Zvino Judha akatorera dangwe rake Eri mukadzi ainzi Tamari.
Asi dangwe raJudha, akanga ari munhu akaipa pamberi paJehovha; Jehovha akamuuraya.
Zvino Judha akati kuna Onani, Pinda kumukadzi womukoma wako, umuwane, umuitire zvakafanira munununa womurume, umutsire mukoma wako vana.
Zvino Onani akaziva kuti vana avo havangavi vake; naizvozvo wakati kana opinda kumukadzi womukoma wake, orasira mbeu pasi, kuti arege kupa mukoma wake vana.
Chinhu ichi chaakaita chakanga chakaipa pamberi paJehovha; akamuuraya naiyewo.
Ipapo Judha akati kuna Tamari, mukadzi womwana wake, Chigara hako uri chirikadzi paimba yababa vako, kusvikira Shera, mwanakomana wangu, akura; nokuti akati, Zvimwe angafa savakoma vake. Tamari akandogara kumba kwababa vake.
Mazuva mazhinji akati apfuura, mukunda waShua, mukadzi waJudha, akafa; zvino Judha akati anyaradzwa, akakwira kuvaveuri vamakwai ake paTimuna, iye naHira, shamwari yake muAdhuramu.
Tamari akaudzwa, zvichinzi, Tarira baba vomurume wako vanokwira Timuna kundoveura makwai avo;
ipapo iye akabvisa nguvo dzouchirikadzi hwake, akazvifukidza nechokufukidzira chake, akazviputira, akagara pasuo reEnaimu, guta riri panzira inoenda Timuna; nokuti akanga aona kuti Shera akura, akasamupiwa iye kuti ave mukadzi wake.
Zvino Judha akati achimuona, akati chifeve, nokuti akanga afukidza chiso chake.
Akatsaukira kwaari panzira, akati, Douya, ndipinde kwauri; nokuti akanga asingazivi, kuti mukadzi womwanakomana wake. Iye akati, Unogondipeiko, kuti upinde kwandiri?
Akati, Ndichakutumira mbudzana inobva kuzvipfuwo zvangu. Akati, Uchandipa rubatso kusvikira waituma here?
Akati, Ndichagokupa rubatso rweiko? Iye akati, Chimhete chako, norwonzi rwako, netsvimbo yako iri paruoko rwako. Akamupa izvozvo, akapinda kwaari, akava nemimba naye.
Akasimuka, akaenda, akabvisa chokufukidzira chake, akafuka nguvo dzouchirikadzi hwake.
Zvino Judha akatuma mbudzana noruoko rweshamwari yake, muAdhuramu, kuti atore rubatso paruoko rwomukadzi, asi haana kumuwana.
Akabvunza vanhu vokwake, achiti, Chiripiko chifeve chiya, chakanga chiri paEnaimu panzira? Vakati, Kwakanga kusina chifeve pano.
Akadzokera kuna Judha, akati, Handina kumuwana; navanhu voko vakati, Kwakanga kusina chifeve pano.
Ipapo Judha akati, Ngaazvitore hake, kuti tirege kunyadziswa; tarira ndatuma mbudzana iyi, iwe ukasamuwana.
Zvino mwedzi inenge mitatu yakati yapfuura, Judha akaudzwa, zvichinzi, Tamari, mukadzi womwanakomana wako, akaita upombwe; wava nemimba noupombwe hwake. Judha akati, Uyai naye, apiswe.
Zvino vakati vachiuya naye, akatuma shoko kuna baba vomurume wake, achiti, Ndine mimba nomurume ane nhumbi idzi, akati, Docherekedzai kuti izvi ndezvani, zvinoti, chimhete norwonzi, netsvimbo.
Judha akazviziva, akati, Iye wakarurama kukunda ini, nokuti handina kumupa Shera, mwanakomana wangu. Haana kuzomuzivazve.
Zvino nenguva yokubereka kwake vana vaviri vakanga vari mudumbu rake.
Zvino akati achibereka, mumwe akabudisa ruoko; ipapo mbuya vakatora rwodzi rutsvuku, vakarusungira paruoko rwake, vachiti, Uyu atanga kubuda.
Zvino uyu akati adzosera ruoko rwake, munununa wake akabuda; ivo vakati, Wazvipasanurira seiko? Naizvozvo akamutumidza zita rinonzi Perezi.
Pashure mukoma wake akabuda, akanga aine rwodzi rutsvuku paruoko rwake; zita rake rikatumidzwa Zera.

39

Josefa akanga aburutsirwa Ijipiti; Potifari, gota raFarao, mukuru wavarindi, muIjipiti, akamutenga pamaoko avaIshimaeri, vakanga vamuburutsira Ijipiti.
Jehovha zvino akanga ana Josefa, akaramba achikwirira; akagara mumba matenzi wake muljipiti.
Tenzi wake akaona kuti Jehovha anaye, uye kuti Jehovha akafambisa zvakanaka zvose zvaaiita namaoko ake.
Josefa akawana nyasha kwaari, akamubatira; iye akamuita mutariri weimba yake; zvose zvaakanga anazvo akazviisa pamaoko ake.
Zvino kubva pakuitwa kwake mutariri weimba yake nowazvose zvaakanga anazvo, Jehovha akaropafadza imba yomuIjipiti nokuda kwaJosefa; kuropafadza kwaJehovha kwakanga kuri pamusoro pezvose zvaakanga anazvo mumba nokumunda.
Waisiya zvose zvaakanga anazvo pamaoko aJosefa; iye anaye, haazairangarira chinhu, asi zvokudya zvake zvoga zvaaidya. Zvino Josefa akanga anomuviri wakanaka, akanakawo pachiso.
Zvino shure kwaizvozvo mukadzi watenzi wake akatarira Josefa, akati, Vata neni.
Asi iye akaramba, akati kumukadzi watenzi wake, Tarirai, nokuda kwangu tenzi wangu haarangariri zviri mumba, asi akaisa zvose zvaanazvo pamaoko angu;
hakuna mukuru kwandiri paimba ino; haana kundidzivisa chinhu, asi imwi moga; nokuti muri mukadzi wake; zvino ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?
Zvino akati ataura naJosefa mazuva ose, iye asingamuteereri kuti avate naye, kana kuva naye,
nenguva iyoyo akapinda mumba kuti abate basa rake; makanga musina vamwe varume veimba imomo.
Ipapo akamubata nguvo yake, akati, Vata neni; iye akasiya nguvo yake muruoko rwake, akabuda panze.
Zvino akati achiona kuti asiya nguvo yake muruoko rwake, atiza, aenda,
akadana varume veimba yake, akataura navo akati, Tarirai, iye akauyisa muHebheru pakati pedu kuti atidadire; akapinda kwandiri, kuti avate neni, ndikaridza mhere neinzwi guru.
Zvino akati achinzwa kuti ndinodanidzirisa ndichiridza mhere, akasiya nguvo yake neni, akatiza, akabuda panze.
Akachengeta nguvo yake kusvikira tenzi wake achipinda mumba.
Akataura kwaari mashoko iwayo akati, Muranda muHebheru wawakaisa pakati pedu, akauya kwandiri kuti andidadire.
Ndikadanidzirisa, ndikaridza mhere, akasiya nguvo yake neni, akatizira panze.
Tenzi wake akati achinzwa mashoko aakaudzwa nomukadzi wake, achiti, Ndizvo zvandaitirwa nomuranda wako, hasha dzake dzikamuka.
Tenzi waJosefa akamutora, akamupinza mutorongo, paisungwa vasungwa vamambo; akava mutorongo.
Asi Jehovha akava naJosefa, akamuitira tsitsi, kuti anzwirwe ngoni nomutariri wetorongo.
Mutariri wetorongo akapa mumaoko aJosefa vasungwa vose vakanga vari mutorongo; iye akanga ari muiti wezvose zvaiitwamo.
Mutariri wetorongo akanga asina hanya nechinhu chakanga chiri pamaoko ake, nokuti Jehovha akanga anaye; zvose zvaaiita, Jehovha akazviruramisa.

40

Shure kwaizvozvo mudiri wamambo weIjipiti nomubiki wake vakatadzira tenzi wavo, mambo weljipiti.
Farao akatsamwira kwazvo varanda vake vaviri, ivo mukuru wavadiri nomukuru wavabiki.
Akavasunga kuti vachengetwe mumba momukuru wavarindi, mutorongo, pakanga pakasungwa Josefa.
Mukuru wavarindi akaraira Josefa kuvachengeta; iye akavabatira, vakaita nguva vachichengetwa.
Zvino vose vaviri vakarota hope usiku humwe, mumwe nomumwe kurota kwake, kurota kumwe nokumwe kune dudziro yako, ivo mudiri nomubiki vamambo weIjipiti, vakanga vakasungwa mutorongo.
Zvino fume mangwana Josefa akapinda kwavari, akavatarira, akaona kuti havafari.
Akabvunza varanda vaFarao vakanga vachengetwa pamwechete naye mumba matenzi wake, akati, Nhasi makasuwa neiko?
Vakati kwaari, Tarota hope, asi hakuna munhu anogona kudzidudzira. Josefa akati kwavari, Kududzira hakuzi kwaMwari here? Dondirondedzerai henyu.
Zvino mukuru wavadiri akarondedzera kurota kwake kuna Josefa, akati, kwaari, Pakurota kwangu ndakaona muzambiringa pamberi pangu; pamuzambiringa pakanga pana matavi matatu;
ukaita sokutumbuka, ukabudisa maruva; masumbu awo akabereka mazambiringa akaibva;
mukombe waFarao wakanga uri muruoko rwangu; zvino ndikatora mazambiringa, ndikaasvinira mumukombe waFarao, ndikaisa mukombe muruoko rwaFarao.
Josefa akati kwaari, Kududzirwa kwadzo ndiko: Matavi matatu mazuva matatu;
mazuva matatu agere kupera Farao achasimudza musoro wako, nokukudzosera kubasa rako; ipapo uchaisa mukombe waFarao muruoko rwakezve, sezvawaiita kare uchiri mudiri wake.
Asi undirangarire hako kana woitirwa zvakanaka; undiitire ngoni, undireverere kuna Farao, kuti ndibudiswe paimba ino;
nokuti zvirokwazvo, ndakabiwa kunyika yavaHebheru; napano handina kuita chinhu chakafanira kuti vandiise mugomba iri.
Zvino mukuru wavabiki akati aona kuti dudziro yakanaka, akati kuna Josefa, Neniwo ndakanga ndiri pakurota kwangu, ndikaona tswanda nhatu dzechingwa chichena dzakanga dziri pamusoro wangu;
mutswanda yapamusoro makanga mune zvokudya zvamarudzi ose zvakabikwa zvaFarao; shiri dzikazvidya mutswanda yaiva pamusoro wangu.
Ipapo Josefa akapindura, akati, Kududzirwa kwadzo ndiko: Tswanda nhatu mazuva matatu;
mazuva matatu agere kupera, Farao achasimudza musoro wako akaubvisa pamusoro pako, akusungirire pamuti; shiri dzichadya nyama yako dzichiibvisa kwauri.
Zvino nomusi wetatu, musi wokuzvarwa kwaFarao, iye akaitira varanda vake vose mutambo. Akasimudza musoro womukuru wavadiri, nomusoro womukuru wavabiki pakati pavaranda vake,
akadzosera mukuru wavadiri kubasa rake rokudira kwake, akapa mukombe waFarao muruoko rwaFarao;
asi akasungirira mukuru wavabiki sezvavakanga vadudzirwa naJosefa.
Asi mukuru wavadiri haana kurangarira Josefa, asi akamukanganwa.

41

Makore maviri akati apera, Farao akarota hope; akazviona amire parwizi.
Akaona mhou nomwe dzichikwira dzichibuda murwizi, dzakanga dzakanaka, dzakakora; dzichifura pakati penhokwe.
Zvino akaona dzimwe mhou nomwe dzichikwira mashure madzo, dzichibva murwizi, dzakanga dzakaipa, dzakaonda; dzikamira nedzimwe mhou pamhenderekedzo yorwizi.
Zvino mhou dzakaipa, dzakaonda, dzikadya mhou dziya nomwe dzakanaka, dzakakora. Farao akapepuka.
Akavatazve, akarota rwechipiri; akaona hura nomwe dzezviyo dzakanga dzatumbuka padzinde rimwe, dzakanga dzakakora, dzakanaka,
akaona hura nomwe, dzakanga dzakatetepa, dzakanga dzapiswa nemhepo yokumabvazuva, dzichibuda shure kwadzo.
Zvino hura dzakatetepa dzikamedza hura nomwe dzakakora, dzakanga dzizere. Farao akapepuka, akaona kuti arota.
Zvino fume mangwana mweya wake ukatambudzika, akatuma vanhu kundodana nanga dzose dzeIjipiti navakachenjera vose voko; Farao akavaudza kurota kwake; asi kwakanga kusina munhu waigona kuzvidudzira kuna Farao.
Ipapo mukuru wavadiri akaudza Farao, akati, Nhasi ndinorangarira kutadza kwangu;
Farao akanga akatsamwira varanda vake, mukandisunga, ndikachengetwa mumba momukuru wavarindi, ini nomukuru wavabiki;
tikarota hope nousiku humwe, ini naiye; tikarota mumwe nomumwe hope dzine dudziro yadzo.
Zvino ipapo pakanga panesu jaya romuHebheru, muranda womukuru wavarindi; tikamuudza, iye akatidudzira kurota kwedu; akadudzira mumwe nomumwe sezvaakarota.
Zvikazoitika sezvaakatidudzira; ini ndakadzoserwa kubasa rangu, asi iye akasungirirwa.
Ipapo Farao akatuma munhu kundodana Josefa, akakurumidza kumubudisa mugomba; vakaveura ndebvu dzake nokumufukidza dzimwe nguvo; akapinda kuna Farao.
Farao akati kuna Josefa, Ndarota hope, asi hakuna munhu anogona kundidudzira idzo; zvino ndanzwa kuti iwe, kana wanzwa kurota, unogona kuzvidudzira.
Josefa akapindura Farao, akati, Kwete, handizini; Mwari ndiye angapa Farao dudziro yorugare.
Farao akarondedzera kuna Josefa akati, Pakurota kwangu ndakazviona ndimire pamhenderekedzo yorwizi;
ndikaona murwizi muchibuda mhou nomwe, dzakanga dzakakora, dzakanaka; dzikafura pakati penhokwe;
ndikaonazve dzimwe mhou nomwe dzichikwira shure kwadzo dzine nzara, dzakaipa kwazvo, dzakaonda, handina kumboona dzakaipa dzakadai panyika yose yeIjipiti.
Zvino mhou idzodzo dzakaonda, dzakaipa, dzikadya, mhou dziya dzakakora dzokutanga;
dzakati dzadzidya, hadzina kutongozikanwa kuti dzadzidya; asi dzakanga dzakangoipa sapakutanga. Zvino ndikapepuka.
Ndikaonazve pakurota kwangu hura nomwe dzakanga dzatumbuka padzinde rimwe, dzizere, dzakanaka;
ndikaonazve dzimwe hura nomwe, dzakaoma, dzakatetepa, dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva, dzichibuda shure kwadzo.
Hura idzodzo dzakatetepa dzikamedza hura nomwe dzakanaka; ndikaudza nanga, asi kwakanga kusina munhu akagona kundidudzira izvozvo.
Ipapo Josefa akati kuna Farao, Kurota kwaFarao ndokumwe; izvo Mwari zvaanoda kuita, ndizvo zvaakazivisa Farao.
Mhou nomwe dzakanaka makore manomwe, nehura nomwe dzakanaka makore manomwewo; kurota ndokumwe.
Mhou nomwe dzakaonda, dzakaipa, dzakakwira shure kwaidzodzo, makore manomwe, nehura nomwe dzakaputa, dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva, achava makore manomwe enzara.
Ndiro shoko randataura kuna Farao; izvo Mwari zvaanoda kuita, ndizvo zvaakaratidza Farao.
Tarirai, kunouya makore manomwe amaguta kwazvo panyika yose yeIjipiti;
shure kwaiwayo kuchatevera makore manomwe enzara; ipapo maguta ose achakanganikwa panyika yeIjipiti; nzara ichapedza nyika;
maguta haangazozikanwi munyika nokuda kwenzara iyoyo inozotevera, nokuti ichanyanya kwazvo.
Kurota uku kwakapamhidzwa kuna Farao kaviri, nokuti izvozvo zvakatarwa naMwari, uye Mwari achakurumidza kuzviita.
Naizvozvo Farao ngaatsvake munhu akangwara, akachenjera, amuite mubati wenyika yeljipiti.
Farao ngaaite izvozvo, ngaaise vatariri panyika yose, atore cheshanu chezviyo zvenyika yeIjipiti pamakore manomwe emaguta.
Ngaaunganidze zvokudya zvose zvamakore iwayo akanaka anouya, avige zviyo nomurayiro waFarao, zvive zvokudya mumaguta; vazvichengete.
Zvokudya izvozvo zvichachengeterwa nyika makore manomwe enzara, ichazovapo panyika yeIjipiti, kuti nyika irege kuparadzwa nenzara.
Chinhu ichi chakanga chakanaka kuna Farao navaranda vake vose.
Farao akati kuvaranda vake, Ko tingawana mumwe munhu akafanana nouyu, anomweya waMwari maari here?
Farao akati kuna Josefa, Mwari zvaakakuratidza izvozvo zvose, hapana munhu akangwara, akachenjera sewe;
ndiwe uchava mubati weimba yangu; vanhu vangu vose vacharairwa neshoko rako; asi pachigarao changu choushe ndipo pandichava mukuru kwauri.
Zvino Farao akati kuna Josefa, Tarira, ndakuita mubati panyika yeIjipiti yose.
Farao akabvisa chimhete chake paruoko rwake, akachiisa paruoko rwaJosefa, akamufukidza nguvo dzomucheka wakanakisa, akamushongedza chiketani chendarama pamutsipa wake;
akamufambisa nengoro yechipiri yaakanga anayo; vakadanidzira pamberi pake, vachiti, Pfugamai! Akamuita mubati wenyika yose yeIjipiti.
Farao akati kuna Josefa, Ndini Farao, asi kunze kwako hapana munhu achasimudza ruoko rwake kana rutsoka rwake panyika yose yeIjipiti.
Farao akatumidza Josefa zita rinonzi Zafanatipanea; akamupa Asenati, mukunda waPotifari, mupirisiti weOni, kuti ave mukadzi wake. Josefa akabuda, akafamba nenyika yose yeIjipiti.
Zvino Josefa akanga ana makore makumi matatu, nguva yaakamira pamberi paFarao, mambo weIjipiti. Josefa akabuda pamberi paFarao, akafamba, akapota nenyika yose yeIjipiti.
Nyika ikabereka zvizhinji-zhinji, namakore manomwe amaguta.
Akaunganidza zvokudya zvose zvamakore manomwe, akanga aripo panyika yeljipiti, akaviga zvokudya mumaguta; zvokudya zveminda yakanga yakapoteredza guta rimwe nerimwe, akazvivigamo.
Josefa akaviga zviyo, zvikaita sejecha regungwa, zvizhinji-zhinji, kusvikira akarega kuzviverenga; nokuti zvakanga zvisingagoni kuverengwa.
Zvino gore renzara risati rasvika, Josefa akaberekerwa vanakomana vaviri, vaakaberekerwa naAsenati, mukunda waPotifari, mupirisiti weOni.
Josefa akatumidza wedangwe zita rinonzi Manase, achiti, Nokuti Mwari akandikanganwisa kutambudzika kwangu kwose neimba yababa vangu yose.
Zita rowechipiri akaritumidza Efuremu, achiti, Nokuti Mwari akandiberekesa vana panyika yokutambudzika kwangu.
Zvino makore manomwe amaguta, akanga avapo panyika yeIjipiti, akapera.
Makore manomwe enzara akatanga kusvika, sezvakataura Josefa; nzara ikavapo panyika dzose; asi panyika yose yeIjipiti pakanga pane zvokudya.
Zvino vanhu vose veljipiti vofa nenzara, vakachemera zvokudya kuna Farao; Farao akati kuna vose veIjipiti, Endai kuna Josefa; itai zvaanotaura kwamuri.
Nzara ikavapo panyika dzose; Josefa akazarura matura ose, akatengesera vaIjipiti; nokuti nzara yakanga yakanyanya panyika yeIjipiti.
Vanhu venyika dzose vakaenda Ijipiti kuna Josefa kuzotenga zviyo; nokuti nzara yakanga yakanyanya panyika dzose.

42

Zvino Jakobho akaona kuti zviyo zvaiveko kuIjipiti, Jakobho akati kuvanakomana vake, Munotarirana neiko?
Akati, Ndanzwa kuti zviyo zviriko kuIjipiti; burukiraiko, mundotitengerako, tipone, tirege kufa.
Ipapo vakoma vaJosefa vane gumi vakaburuka kundotenga zviyo Ijipiti.
Asi Bhenjamini, munununa waJosefa, Jakobho haana kumutuma navakoma vake; nokuti akati, Zvimwe angawirwa nenjodzi.
Zvino vanakomana vaIsiraeri vakauya kuzotenga pakati pavamwe vaiuya, nokuti nzara yakanga iripo panyika yeKenani.
Zvino Josefa akanga ari mubati wenyika; ndiye aitengesera vanhu vose venyika; vakoma vaJosefa vakauya, vakamupfugamira, zviso zvavo zvakatarira pasi.
Josefa akaona vakoma vake, akavaziva, asi akaita saasingavazivi, akataura nehasha navo, akati kwavari, Mabvepiko? Ivo vakati, Tabva kunyika yeKenani kuzotenga zvokudya.
Josefa akaziva vakoma vake, asi ivo havana kumuziva.
Ipapo Josefa akarangarira kurota kwake kwaakadeya kurota pamusoro pavo, akati kwavari, Muri vashori, mauya kuzoona kuti nyika yakashama papi.
Ivo vakati kwaari, Kwete, ishe wedu, asi varanda venyu vauya kuzotenga zvokudya.
Tiri vanakomana vomunhu mumwe chete tose; tiri vanhu vakatendeka, varanda venyu havazi vashori;
iye akati kwavari, Kwete, mauya kuzoona nyika kuti yakashama papi.
Ivo vakati, Isu varanda venyu, tiri vanakomana vane gumi navaviri vomunhu mumwe chete panyika yeKenani; zvino worugotwe ari kuna baba vedu nhasi; mumwe haachisipo.
Josefa akati kwavari, Ndizvo zvandanga ndichitaura kwamuri, ndichiti muri vashori;
hechi chinhu chamuchaedzwa nacho. Noupenyu hwaFarao, hamungabudi pano kana munununa wenyu worugotwe asina kuuya pano.
Tumai mumwe wenyu kuti andotora munununa wenyu, asi imwi muchafanira kugara makasungwa, kuti mashoko enyu aedzwe, kana makatendeka; kana zvisina kudaro, zvirokwazvo, noupenyu hwaFarao muri vashori.
Ipapo akavaisa pamwechete vose mutorongo, kuti vachengetwe mazuva matatu.
Josefa akati kwavari nezuva retatu, Itai chinhu ichi, mupone; ini ndinotya Mwari;
kana muri vanhu vakatendeka, mumwe wavanununa venyu ngaagare akasungwa mutorongo yenyu; asi imwi endai makatakura zviyo kundopa mhuri dzenyu dzine nzara.
Mugouya nomunununa wenyu worugotwe kwandiri; naizvozvo mashoko enyu achasimbiswa, murege kufa. Vakaita saizvozvo.
Vakataurirana vachiti, Zvirokwazvo tine mhosva nokuda kwomunununa wedu, nokuti takaona kutambudzika kwomweya wake musi uya waakatinyengetera, tikaramba kumuteerera; naizvozvo tawirwa nokutainbudzika.
Ipapo Rubheni akapindura, akati, Handina kukuudzai here, ndichiti, Regai kutadzira mwana, mukaramba kunditeerera? Naizvozvo tarirai, ropa rake rotsvakwa.
Zvino vakanga vasingazivi kuti Josefa anonzwisisa, nokuti kwanga kuine mupinduri pakati pavo.
Ipapo Josefa akabva kwavari, akachema; akadzokerazve kwavari, akataura navo, akatora Simioni pakati pavo, akamusunga vachizviona.
Josefa akaraira kuti midziyo yavo izadzwe nezviyo, uye kuti mumwe nomumwe adzoserwe mari yake muhomwe yake, uye kuti vapiwewo mbuva yokufamba nayo; vakaitirwa saizvozvo.
Ipapo vakatakudza mbongoro dzavo zviyo zvavo, vakaenda.
Zvino mumwe wavo akati achisunungura homwe yake, kuti ape mbongoro yake zvokudya pavakavata usiku, akawana mari yake; heyo yakanga iri mumuromo wehomwe yake.
Akati kuhama dzake, Mari yangu yadzoswa; heyi iri muhomwe yangu; ipapo vakaora moyo, vakatarirana, vachibvunda, vakati, Chinyiko ichi chataitirwa naMwari?
Vakasvika kuna baba vavo panyika yeKenani, vakavaudza zvose zvakanga zvavawira;
vakati, Murume uya, ishe wenyika iyoyo, akataura nesu nehasha, akati, tiri vashori venyika.
Tikati kwaari, Tiri vanhu vakatendeka, hatizi vashori;
tiri vanakomana vane gumi navaviri vomunhu mumwe chete, vanakomana vababa vedu; mumwe haachipo, worugotwe ari kuna baba vedu nhasi panyika yeKenani.
Zvino murume uya, ishe wenyika, akati kwatiri, Hechi chinhu chandichaziva nacho kuti muri vakatendeka, Siyai mumwe wenyu kwandiri, mutore zviyo, mundopa mhuri dzenyu dzine nzara, muende.
Mugouyazve kwandiri nomunununa wenyu worugotwe; ipapo ndichaziva kuti hamuzi vashori, asi kuti muri vanhu vakatendeka; ipapo ndichakupai munununa wenyu, mugotenga panyika ino.
Zvino vakati vachidurura homwe dzavo, tarira chiputu chemari yomumwe nomumwe chakanga chiri muhomwe yake; vakati vachiona zviputu zvemari yavo, vakatya ivo nababa vavo.
Zvino Jakobho akati kwavari, Manditorera vana; Josefa haachipo, naSimioni haachipo, zvino moda kutora naBhenjaminiwo; zvinhu zvose izvi zvandiwira.
Ipapo Rubheni akataura nababa vake, akati, Mungauraya henyu vanakomana vangu vaviri, kana ndisingadzoki naye kwamuri; chimuisai henyu mumaoko angu, ini ndichauya nayezve kwamuri.
Vakati, Mwanakomana wangu haangaburuki nemi, nokuti mukoma wake wakafa, iye asiyiwa ari oga; kana akawirwa nenjodzi parwendo rwamunofamba, muchaburutsira vhudzi rangu jena kuhwiro nokuchema.

43

Zvino nzara yakanga iri huru munyika iyoyo.
Zvino vakati vapedza zviyo, zvavakanga vabva nazvo Ijipiti, baba vavo vakati kwavari, Dzokai, endaizve mutitengere zvokudya zvishoma.
Judha akataura navo, akati, Murume uya akatinyevera kwazvo, akati, Hamungatongooni chiso changu, kana munununa wenyu asati anemi.
Kana mukatuma munununa wedu nesu, tichaburuka, kundotenga zvokudya;
asi kana musingamutumi, hatingaburuki; nokuti murume uya akati kwatiri, Hamungaoni chiso changu, kana munununa wenyu asati anemi.
Isiraeri akati, Makandiitireiko zvakaipa zvakadai, zvamakaudza murume uya kuti munomunununa?
Ivo vakati, Murume uya akatibvunzisisa pamusoro pedu, napamusoro pehama dzedu, akati, Baba venyu vapenyu here? Mune munununa here? Tikamupindura namashoko aya; taigoziva here kuti achati, Burukai nomunununa wenyu?
Zvino Judha akati kuna Isiraeri, baba vake, Tumai henyu mukomana neni, tisimuke, tiende, tirarame, tirege kufa, isu nemi, navana vedu.
Ini ndichava rubatso rwake; mungamureva paruoko rwangu; kana ndikasauya naye, ndikamuisa pamberi penyu, ini ndichava nemhosva kwamuri nokusingaperi.
Nokuti dai tisina kunonoka, zvirokwazvo, tingadai tadzoka zvino rwechipiri.
Ipapo Isiraeri, baba vavo, akati kwavari, Kana zvakadaro, itai chinhu ichi; torai michero yakanaka yenyika mumidziyo yenyu, muburuke nechipo kumunhu uyo, chebhasami shomanana, nouchi ushomanana, nezvinonhuwira, nemura, nemichero yomuti wepisitakio, namaamanda;
mutore mari yakapamhidzwa kaviri mumaoko enyu, neiya mari yakanga yadzoserwa mumiromo yehomwe dzenyu, muende makaibata mumaoko enyu; zvimwe vakakanganisa.
Nomunununa wenyu mumutorei, musimuke, mudzokere kumurume uyo;
Mwari waMasimbaose ngaakupei nyasha pamberi pomurume uyo, akusunungurirei mumwe munununa wenyu naBhenjaminiwo. Kana ndatorerwa vana vangu, ndatorerwa hangu.
Zvino varume vakatora chipo ichocho, vakabata mumaoko avo mari yakapamhidzwa kaviri, naBhenjamini, vakasimuka, vakaburukira Ijipiti, vakandomira pamberi paJosefa.
Zvino Josefa akati achiona Bhenjamini anavo, akati kumutariri weimba yake, Uya navarume mumba, ubaye, ugadzire; nokuti varume ava vachadya neni masikati.
Murume uyo akaita sezvaakaudzwa naJosefa; murume uyo akaisa varume avo mumba maJosefa.
Varume vakatya, zvavakaiswa mumba maJosefa, vakati, Tinoiswamo nokuda kwemari yakadzoserwa muhomwe dzedu panguva yokutanga, kuti atsvake mhosva kwatiri, atibate, nokutiita varanda vake, achitorawo mbongoro dzedu.
Ipapo vakaswedera kumutariri weimba yaJosefa, vakataura naye pamusuo weimba;
vakati, Haiwa, ishe wedu, zvirokwazvo panguva yokutanga takaburuka kuzotenga zvokudya;
tikati tichisvika patakavata usiku, tikasunungura homwe dzedu, onei mari yomumwe nomumwe iri mumuromo wehomwe yake, mari yedu yose sezvayakayerwa; zvino tadzoka nayo pamaoko edu.
Zvino taburuka tiine imwe marizve mumaoko edu kuti titenge zvokudya nayo; hatizivi kuti mari yedu yakaiswa muhomwe dzedu nani?
Iye akati, Farai henyu, musatya; Mwari wenyu, Mwari wababa venyu, akakupai fuma muhomwe dzenyu; mari yenyu yakasvika kwandiri. Akavabudisira Simioni.
Murume uyo akaisa varume avo muimba yaJosefa, akavapa mvura, vakashambidza tsoka dzavo, akapawo mbongoro dzavo zvokudya.
Vakagadzira chipo kusvikira kuuya kwaJosefa masikati, nokuti vakanga vanzwa kuti vachadya zvokudya ipapo.
Josefa akati asvika kumba, vakapinda mumba nechipo chakanga chiri mumaoko avo, vakakotamira pasi pamberi pake.
Iye akavabvunza mufaro wavo, akati, Baba venyu vakafara here, uya mutana wamaireva? Vachiri vapenyu here?
Ivo vakati, Muranda wenyu, baba vedu, vakafara havo, vachiri vapenyu. Vakakotama, vakanamata.
Iye akasimudza meso ake, akaona Bhenjamini, munununa wake, mwanakomana wamai vake, akati, Ndiye here munununa wenyu muduku worugotwe, wamakandiudza? Akati, Mwari ngaave nenyasha newe, mwana wangu.
Zvino Josefa akakurumidza, nokuti moyo wake wakachema munununa wake, akatsvaka paangachema; akapinda muimba yake yomukati, akachemapo.
Akazoshambidza chiso chake, akabudazve, akazvidzora akati, Pakurai zvokudya.
Vakamupakurira iye oga, naivo voga, navaIjipiti havana kutenderwa kudya navaHebheru, nokuti zvinonyangadza kuna vaIjipiti.
Vakagara pamberi pake, wedangwe paudangwe hwake, nomuduku kuna vose pauduku hwake; varume vakatarirana, vakashamiswa.
Akavagovera zvokudya zvakanga zviri pamberi pake, asi mugove waBhenjamini wakaenzana nowavashanu vavo. Vakanwa, vakafara naye.

44

Zvino akaraira mutariri weimba yake, achiti, Zadza homwe dzavarume nezvokudya, sezvavanogona kutakura, uisewo mari yomumwe nomumwe pamuromo wehomwe yake.
Nomukombe wangu, mukombe wesirivha, uuise pamuromo wehomwe yomuduku, pamwechete nemari yezviyo zvake. Iye akaita sezvaakaudzwa naJosefa.
Zvino fume mangwana kwoedza varume vakatenderwa kuenda, ivo nembongoro dzavo.
Vakati vabuda muguta, vasati vaenda kure, Josefa akaudza mutariri wake, akati, Simuka, tevera varume; kana wavabata, uti kwavari, Matsindikireiko zvamaitirwa zvakanaka?
Ko hachizi chinhu chinonwira ishe wangu, chaanoshopera nacho here? Chinhu ichi chamaita chakaipa.
Akandovabata, akataura mashoko iwayo kwavari.
Vakati kwaari, Ko ishe wedu anotaurirei mashoko akadai? Haisva, varanda venyu havangaiti chinhu chakadai.
Tarirai, mari yatakawana pamiromo yehomwe dzedu takadzoka nayo kwamuri tichibva kunyika yeKenani; taigoba seiko sirivha kana ndarama mumba mashe wenyu?
Ani naani wavaranda venyu anowanikwa anawo, ngaafe; nesu tichava vasungwa vashe wedu.
Iye akati, Ndizvo hazvo, ngazvive sezvamataura; iye anowanikwa aine mukombe, ndiye achava musungwa wangu; imwi vamwe hamungavi nemhosva.
Ipapo vakakurumidza mumwe nomumwe kuburutsira homwe yake pasi, mumwe nomumwe akasunungura homwe yake.
Iye akatsvaka, akatanga kumukuru, akaguma kumuduku; mukombe ukawanikwa muhomwe yaBhenjamini.
Ipapo vakabvarura nguvo dzavo, mumwe nomumwe akatakudza mbongoro yake, akadzokera kuguta.
Judha navana vababa vake vakadzokera kuimba yaJosefa, iye achirimo, vakawira pasi pamberi pake.
Zvino Josefa akati kwavari, Chinyiko ichi chamaita? Hamuzivi kuti munhu akaita seni anogona kushopera here?
Judha akati, Ko tingadiniko kuna ishe wangu? Tingataureiko? Tingazvipembedza sei? Mwari akawana kutadza kwavaranda venyu; tarirai tiri vasungwa vashe wedu, isu naiye akawanikwa aine mukombe.
Iye akati, Haisva, handingaiti saizvozvo; munhu uyo akawanikwa ano mukombe muruoko, ndiye achava musungwa wangu; kana muri imwi, endai henyu norugare kuna baba venyu.
Ipapo Judha akaswedera kwaari, akati, Haiwa, ishe wangu, dotenderai henyu muranda wenyu kutaura shoko munzeve dzashe wangu, kutsamwa kwenyu kurege kumukira muranda wenyu, nokuti imwi makaenzana naFarao.
Ishe wangu akabvunza varanda vake, achiti, Muna baba here, kana munununa?
Isu tikati kuna ishe wedu, Tina baba vavamutana, vanomwana woutana hwavo, achiri muduku hake; mukoma wake akafa, iye akasara ari oga, mwana wamai vake, baba vake vanomuda.
imwi mukati kuvaranda venyu, Burukai naye kwandiri, ndimuone nameso angu.
Isu tikati kuna ishe wedu, Mukomana haangasiyi baba vake, nokuti kana akasiya baba vake, baba vake vangafa.
Zvino makati kuvaranda venyu, Kana munununa wenyu worugotwe asingaburuki nemi, hamungaonizve chiso changu.
Zvino takati takwira kumuranda wenyu, baba vedu, tikavaudza mashoko ashe wedu.
Baba vedu vakati, Endaizve, mutitengere zvokudya zvishomanana.
Isu tikati, Hatingaburuki, kana munununa wedu asingaburuki nesu; nokuti hatingaoni chiso chomurume uya, kana munununa wedu asinesu.
Muranda wenyu, baba vedu, vakati kwatiri, Munoziva kuti mukadzi wangu akandiberekera vanakomana vaviri;
mumwe akabva kwandiri, ndikati, Zvirokwazvo akabvamburwa; kubva musi iwoyo handina kuzomuonazve;
kana mukanditorera nouyuwo, akawirwa nenjodzi, muchaburutsira vhudzi rangu jena kuhwiro nokuchema.
Naizvozvo, kana zvino ndikandosvika kumuranda wenyu, baba vangu, tisinaiye mukomana, mweya wavo zvawakabatanidzwa nomweya womukomana,
vachati kana vachiona kuti mukomana asinesu, vachafa; naizvozvo varanda venyu vachaburutsira vhudzi jena romuranda wenyu, baba vedu, kuhwiro nokuchema.
Nokuti muranda wenyu akazviita rubatso rwomukomana kuna baba vangu, ndikati, Kana ndikasauya naye kwamuri,ini ndichava nemhosva kuna baba vangu nokusingaperi.
Naizvozvo zvino ndinokumbira kuti muranda wenyu agare hake ari musungwa washe wangu pachigaro chomukomana, asi mukomana akwire hake navana vababa vake.
Nokuti ndingakwira seiko kuna baba vangu, ndisina mukomana? Ndirege hangu kuona njodzi ichawira baba vangu.

45

Zvino Josefa haana kugona kuzvidzora pamberi pavose vakanga vamire naye, akadana, achiti, Budisai vanhu vose vari pano neni. Zvino kwakanga kusina munhu akamira naye Josefa achizvizivisa kuvana vababa vake.
Akachema kwazvo, valjipiti naveimba yaFarao vakazvinzwawo.
Ipapo Josefa akati kuvana vababa vake, Ndini Josefa! Baba vangu vachiri vapenyu Here? Vana vababa vake vakasagona kumupindura, nokuti vakanga vachitya pamberi pake.
Josefa akati kuvana vababa vake, Doswederai henyu kwandiri. Zvino vakaswedera. lye akati, Ndini Josefa, mwana wababa venyu wamakatengesa ndikaiswa Ijipiti.
Zvino musazvidya moyo, kana kuzvitsamwira, zvamakanditengesera kuno; nokuti Mwari akandituma pamberi penyu, kuti ndichengete upenyu.
Nokuti zvino ava makore maviri enzara panyika ino; mamwe makore mashanu achiko, avasingazorimi nokukohwa nawo.
Mwari akandituma pamberi penyu kuti ndikuchengetei, muve navamwe vachasara panyika, ndikuraramisei kuti musunungurwe nokusunungurwa kukuru.
Zvino hamuzimi makandituma pano, asi Mwari; iye akandiita baba kuna Farao nashe weimba yake yose, nomubati wenyika yose yeljipiti.
Kurumidzai, mukwire kuna baba vangu, mundoti kwavari, Zvanzi naJosefa, mwanakomana wenyu, Mwari akandiita ishe weljipiti rose; burukirai kwandiri musanonoka;
mugare panyika yeGosheni, mugova pedo neni, imwi, navanakomana venyu, navana vavana venyu, namakwai enyu, nemombe dzenyu, nezvose zvamunazvo;
ndichakuchengetaipo, nokuti mamwe makore mashanu enzara achiripo, kuti murege kuzova varombo, imwi, naveimba yenyu, nezvose zvamunazvo.
Tarirai meso enyu anoona, nameso omunununa wangu Bhenjamini kuti muromo wangu unotaura kwamuri.
Mundoudza baba vangu kukudzwa kwangu kwose paljipiti, nezvose zvamaona; mukurumidze kuburutsira baba vangu kuno.
Akawira pamutsipa waBhenjamini, munununa wake, akachema, naiye Bhenjamini akachema pamutsipa wake.
Akatsvoda vakoma vake vose, akachema pamusoro pavo; shure kwaizvozvo vakoma vake vakataura naye.
Zvino mukurumbira wazvo wakanzwika mumba maFarao, zvichinzi, Vana vababa vaJosefa vasvika! Farao navaranda vake vakafara naizvozvo.
Farao akati kuna Josefa, Iti kuvana vababa vako, Itai chinhu ichi: Takudzai zvipfuwo zvenyu, mufambe, muende kunyika yeKenani;
mundotora baba venyu navedzimba dzenyu muuye kwandiri; ndichakupai zvinhu zvakaisvonaka zvenyika yeIjipiti, mudye zvakakora zvenyika.
Zvino chiitai sezvamarairwa; torerai vana venyu vaduku navakadzi venyu ngoro panyika yeIjipiti, mundotora baba venyu, muuye.
Musafunga nhumbi dzenyu, nokuti zvakaisvonaka zvenyika yose yeIjipiti ndezvenyu.
Vanakomana vaIsiraeri vakaita saizvozvo. Josefa akavapa ngoro, sezvaakarairwa naFarao, akavapa mbuva yokufamba nayo.
Akapa vose, mumwe nomumwe nguvo dzakanaka; asi Bhenjamini akamupa mashekeri ana mazana matatu esirivha nenguvo dzakanaka shanu.
Nababa vake akavatumira mbongoro dzine gumi, dzakanga dzakatakura zvinhu zvakaisvonaka zveIjipiti, namakadzi embongoro ane gumi akanga akatakura zviyo, nechingwa, nezvokudya zvababa vake zvorwendo.
Zvino akatendera vana vababa vake kuenda, vakabva; akati kwavari, Chenjerai, musatukana munzira.
Ipapo vakabva Ijipiti, vakakwira, vakandosvika kunyika yeKenani kuna Jakobho, baba vavo.
Vakavaudza, vakati, Josefa achiri mupenyu; ndiye mubati wenyika yose yeIjipiti. Ipapo moyo wavo wakati rukutu, nokuti havana kutenda.
Vakavaudza mashoko ose aJosefa; zvino vakati vaona ngoro dzakanga dzatumwa naJosefa kuzovatakura, mweya waJakobho, baba vavo, ukaponazve;
Isiraeri akati, Zvaringana! Josefa, mwanakomana wangu achiri mupenyu; ndichaenda ndimuone ndisati ndafa.

46

Zvino Isiraeri akabva nezvose zvaakanga anazvo, akasvika Bheerishebha, akabayira Mwari wababa vake Isaka zvibayiro.
Mwari akataura naIsiraeri nezviratidzo usiku, akati, Jakobho ! Jakobho ! Iye akati, Ndiri pano hangu.
Akati, Ndini Mwari, iye Mwari wababa vako; usatya hako kuburukira Ijipiti; nokuti ndichakuita rudzi rukuru ikoko;
ndichaburukira Ijipiti newe, ndigokudzosazve zvirokwazvo; Josefa uchaisa ruoko rwake pachiso chako.
Jakobho akasimuka, akabva Bheerishebha; vanakomana vaIsiraeri vakatakura Jakobho baba vavo, navana vavo vaduku, navakadzi vavo, nengoro dzakanga dzatumwa naFarao kuti dzivatakure.
Vakatora mombe dzavo nenhumbi dzavo dzavakanga vawana munyika yeKenani, vakasvika Ijipiti, Jakobho navanakomana vake vose pamwechete naye;
vanakomana vake, navana vavanakomana vake pamwechete naye, navakunda vake, navakunda vavanakomana vake, navose vorudzi rwake, vakaenda navo Ijipiti.
Ndiwo mazita avana vaIsiraeri vakasvika Ijipiti: Jakobho, navanakomana vake, vachiti: Rubheni, dangwe raJakobho.
Navanakomana vaRubheni: Hanoki, naParu, naHezironi, Karami.
Navanakomana vaSimioni: Jemueri, naJamini, naOhadhi, naJakini, naZohari, naShauri, waiva mwanakomana womukadzi weKenani.
Navanakomana vaRevhi: Gerishoni, naKohati, naMerari.
Navanakomana vaJudha: Eri, naOnani, naShera, naPerezi, naZera; asi Zera naOnani vakafira panyika yeKenani. Vanakomana vaPerezi vaiva Hezironi, naHamori.
Navanakomana vaIsakari: Tora, naPuwa, naJobho, naShimuroni.
Navanakomana vaZebhuroni: Seredhi, naEroni, naJareeri.
Ndivo vanakomana vaRea, vaakaberekera Jakobho paPadhanaramu, nomukunda wake Dhina; vanakomana vake navakunda vake vose vaiva vanhu vana makumi matatu navatatu.
Navanakomana vaGadhi: Zifioni, naHagi, naShumi, naEzibhoni, naEri, naArodhi, naAreri.
Navanakomana vaAsheri: Imuna, naIshivha, naIshivhi, naBheria, naSera, hanzvadzi yavo; navanakomana vaBhiriha vaiva Hebheri, naMakieri.
Ndivo vanakomana vaZiripa, Rabhani waakapa Rea, mukunda wake; akaberekera Jakobho vanhu ava vane gumi navatanhatu.
Vanakomana vaRakeri, mukadzi waJakobho, vaiva Josefa naBhenjamini.
Josefa akaberekerwa Manase naEfuremu panyika yeljipiti, ndivo vaakaberekerwa naAsenati, mukunda waPotifari, mupirisiti weOni.
Navanakomana vaBhenjamini: Bhera, naBhekeri, naAshibheri naGera, naNaamani, naEhi, naRoshi, naMupimi, naHupimi, naAdhi.
Ndivo vanakomana vaRakeri, vakaberekerwa Jakobho; vose vaiva vane gumi navana.
Navanakomana vaDhani: Hushimi.
Navanakomana vaNafutari: Jazeeri, naGuni, naJezeri, naShiremi.
Ndivo vanakomana vaBhiriha, Rabhani waakapa Rakeri, mukunda wake; ndivo vaakaberekera Jakobho; vose vaiva vanomwe.
Zvino vanhu vose vakauya naJakobho Ijipiti, vakanga vabuda pachiuno chake, vakadzi vavanakomana vaJakobho vasingaverengwi, vose vaiva vanhu vana makumi matanhatu navatanhatu.
Vanakomana vaJosefa vaakanga aberekerwa Ijipiti vaiva vanhu vaviri; vose veimba yaJakobho vakauya Ijipiti, vaiva vanhu vana makumi manomwe.
Akatuma Judha pamberi pake kuna Josefa kuti amuratidze nzira inoenda Gosheni.
Ipapo Josefa akagadzira ngoro yake, akakwira Gosheni, kundosangana naIsiraeri, baba vake; akazvizivisa kwavari, akawira pamutsipa wavo, akachema pamutsipa wavo nguva huru.
Isiraeri akati kuna Josefa, Zvino ngandichifa hangu, nokuti ndaona chiso chako, kuti uchiri mupenyu.
Zvino Josefa akati kuvana vababa vake naveimba yababa vake, Ini ndichakwira kundoudza Farao, ndichiti kwaari, Vana vababa vangu, naveimba yababa vangu, vaigara kunyika yeKenani, vasvika kwandiri;
varume ava vafudzi, nokuti vaipfuwa zvipfuwo; vauya namakwai avo, nemombe dzavo, nezvose zvavanazvo.
Zvino kana modanwa naFarao, akati, Basa renyu nderei?
Muti, Varanda venyu vaiva vapfuwi vezvipfuwo kubva paucheche hwedu kusvikira zvino, isu namadzibaba edu; kuti mugare munyika yeGosheni, nokuti vafudzi vose vanonyangadza vaIjipiti.

47

Zvino Josefa akaenda, akandoudza Farao, akati, Baba vangu navana vababa vangu vasvika, vachibva kunyika yeKenani, vane makwai avo, nemombe dzavo, nezvose zvavanazvo; zvino, tarirai vari munyika yeGosheni.
Akatora varume vashanu kuvana vababa vake, akavaisa pamberi paFarao.
Farao akati kuvakoma vake, Basa renyu ndereiko? Vakati kuna Farao, Varanda venyu vafudzi, isu namadzibaba edu tose.
Vakati kuna Farao, Tauya kuzogara tiri vatorwa munyika ino; nokuti hakuna mafuro amakwai avaranda venyu, nokuti kune nzara kunyika yeKenani; zvino tinokumbira kuti varanda venyu vagare munyika yeGosheni.
Ipapo Farao akataura naJosefa, akati, Baba vako navana vababa vako vauya kwauri;
nyika yeIjipiti iri pamberi pako; baba vako navana vababa vako ngavagare panzvimbo yakaisvonaka panyika ino, ngavagare panyika yeGosheni; kana uchiziva kuti pakati pavo pana varume vakangwara, uvaite vatariri vemombe dzangu.
Josefa akapinda naJakobho, baba vake, akavaisa pamberi paFarao; Jakobho akaropafadza Farao.
Farao akati kuna Jakobho, Manganiko mazuva amakore oupenyu hwenyu?
Jakobho akati kuna Farao, Mazuva amakore outorwa hwangu makore ane zana namakumi matatu; mazuva amakore oupenyu hwangu akanga ari mashoma hawo, akaipa, haana kusvikira pamazuva amakore oupenyu hwamadzibaba angu pamazuva outorwa hwavo.
Jakobho akaropafadza Farao, akabuda pamberi paFarao.
Zvino Josefa akapa baba vake navana vababa vake pokugara, akavapa nzvimbo panyika yeIjipiti, kuti ive yavo, pakaisvonaka panyika iyo, panyika yeRamesesi, sezvaakarairwa naFarao.
Josefa akachengeta baba vake, navana vababa vake, navose veimba yababa vake, akavapa zvokudya achiverenga navana vavowo. Josefa anotengera Farao nyika yose nezvokudya
Zvino pakanga pasina zvokudya panyika yose, nokuti nzara yakanga iri huru, nyika yeIjipiti nenyika yeKenani dzikaziya nenzara.
Josefa akaunganidza mari yose yakanga iri panyika yeIjipiti, napanyika yeKenani, yavakatenga zviyo nayo, Josefa akaisa mari iyo mumba maFarao.
Mari yose yakati yapera munyika yeljipiti, napanyika yeKenani, vaIjipiti vose vakauya kuna Josefa, vakati, Tipei zvokudya, nokuti tingafa seiko pamberi penyu? Nokuti mari yapera.
Josefa akati, Uyai nemombe dzenyu, ndikupei zvokudya pamusoro pezvipfuwo zvenyu, kana mari yapera.
Zvino vakauya kuna Josefa nezvipfuwo zvavo; Josefa akavapa zvokudya, vachitsinhanha namabhiza, namakwai, nemombe, nembongoro; akavararamisa nezvokudya, vachitsinhanha nezvipfuwo zvavo zvose gore iroro.
Gore iroro rakati rapera, vakauya kwaari negore rechipiri, vakati kwaari, Hatingavanziri ishe wedu kuti mari yedu yose yapera, mapoka ezvipfuwo ava ashe wedu; hakuchina chakasara pamberi pashe wedu, asi miviri yedu neminda yedu;
zvino tingafa seiko pamberi penyu, isu nenyika yedu? Titengei henyu, isu nenyika yedu, tive varanda vaFarao; tipeiwo mbeu tirarame tirege kufa, nenyika irege kushanduka iite sango.
Zvino Josefa akatengera Farao nyika yose yeIjipiti, nokuti vaIjipiti vakatengesa mumwe nomumwe munda wake, nokuti nzara yakanga iri huru pamusoro pavo, nyika ikava yaFarao.
Kana vari vanhu akavatamisa kumaguta, kubva kumuganhu mumwe weIjipiti kusvikira kuno mumwe muganhu wayo.
Asi nyika yavapirisiti yoga haana kuitenga, nokuti vapirisiti vakanga vaganhurirwa mugove wavo naFarao; vaidya mugove wavo wavaipiwa naFarao. Naizvozvo havana kutengesa nyika yavo:
Zvino Josefa akati kuvanhu, Tarirai, ndakatengera Farao imwi nenyika yenyu nhasi, hedzi mbeu, mudyare panyika.
Nenguva yokukohwa munofanira kupa Farao cheshanu, zvina zvichava zvenyu, zvive mbeu dzeminda, nezvokudya zvenyu, nezvavari mudzimba dzenyu, nezvokudya zvepwere dzenyu.
Ivo vakati, Ndimwi makatichengeta; ngatiwane hedu nyasha panashe wedu, tive varanda vaFarao.
Josefa akatema mutemo panyika yeIjipiti, uripo nanhasi, kuti Farao apiwe cheshanu; asi nyika yavapirisiti yoga haina kuva yaFarao.
Zvino vaIsiraeri vakagara panyika yeIjipiti, panyika yeGosheni, vakazviwanira fuma imomo, vakabereka vana, vakawanda kwazvo. Mazuva okupedzisira aJakobho
Jakobho akagara panyika yeljipiti makore ane gumi namanomwe; naizvozvo mazuva aJakobho makore oupenyu hwake, akanga ari makore ane zana namakumi mana namanomwe.
Zvino nguva yokufa kwaIsiraeri yakanga yaswedera, iye akadana mwanakomana wake Josefa, akati kwaari, Kana ndawana nyasha kwauri, chiisa hako ruoko rwako pasi pechidya changu, undiitire ngoni nezvokwadi; rega hako kundiviga paIjipiti;
asi kana ndavata namadzibaba angu, undibvise paIjipiti, unondiviga muhwiro hwavo. Iye akati, Ndichaita sezvamataura.
Vakati, Ndipikire; iye akavapikira. Ipapo Isiraeri akakotamira pamusoro wouvato hwake.

48

Shure kwaizvozvo Josefa akaudzwa, zvichinzi, Tarira, baba vako vanorwara; iye akatora vanakomana vake vaviri, Manase naEfuremu.
Jakobho akaudzwa, zvichinzi, Tarirai, mwanakomana wenyu, Josefa, wauya kwamuri. Isiraeri akazvisimbaradza, akagara pauvato.
Zvino Jakobho akati kuna Josefa, Mwari Wamasimbaose akazviratidza paRuzi, panyika yeKenani, akandiropafadza,
akati kwandiri, Tarira, ndichakuberekesa, ndichakuwanza, ndichakuita ndudzi zhinji; ndichapa vana vako vanokutevera nyika ino, ive yavo nokusingaperi.
Zvino vanakomana vako vaviri, vawakaberekerwa panyika yeIjipiti, ndisati ndasvika kwauri paljipiti, ndavangu; Efuremu naManase vachava vangu savana Rubheni naSimiyoni.
Asi vana vako, vawakabereka shure kwavo, vachava vana vako, vachatumidzwa nezita ravakuru vavo panhaka yavo.
Kana ndirini, pakubva kwangu paPadhani, ndakafirwa naRakeri panyika yeKenani munzira ndasvika pedo neEfurata, ndikamuvigapo panzira inoenda Efurata (rimwe zita ndiBheterehemu).
Isiraeri akaona vanakomana vaJosefa, akati, Ndivananiko?
Josefa akati kuna baba vake, Ndivo vanakomana vangu vandakapiwa pano naMwari. Vakati, Douya navo kwandiri ndivaropafadze.
Zvino meso aIsiraeri akanga oona madzerere nokukwegura, akanga asisagoni kuona. Akavaswededza kwavari, Isiraeri akavatsvoda, akavambundikira.
Isiraeri akati kuna Josefa, Handina kufunga kuti ndichaona chiso chakozve, zvino tarira, Mwari akandionesa navana vakowo.
Josefa akavabvisa pakati pamabvi avo akakotamira pasi nechiso chake.
Josefa akavabata vari vaviri, Efuremu norudyi rwake kuruboshwe rwaIsiraeri, naManase noruboshwe rwake kurudyi rwaIsiraeri, akavaswededza pedo naye.
lsiraeri akatambanudza ruoko rwake rworudyi, akaruisa pamusoro paEfuremu, aiva muduku, noruoko rwake rworuboshwe pamusoro waManase, akapesanisa maoko ake achizviziva, nokuti Manase akanga ari wedangwe.
Akaropafadza Josefa, akati, Mwari uya, akafamba madzibaba angu pamberi pake, vana Abhurahamu naIsaka, Mwari akandifudza paupenyu hwangu hwose kusvikira zuva ranhasi;
mutumwa wakandidzikunura pane zvakaipa zvose, ngaaropafadze vanakomana ava; zita rangu ngaritumidzwe kwavari, namazita amadzibaba angu, Abhurahamu naIsaka, vawande kwazvo panyika.
Zvino Josefa akati achiona kuti baba vake vaisa ruoko rwavo rworudyi pamusoro waEfuremu, hazvina kumufadza, akabata ruoko rwababa vake, kuti arubvise pamusoro waEfuremu, aruise pamusoro waManase.
Josefa akati kuna baba vake, Regai kudaro, baba vangu, nokuti ndiye wedangwe, isai ruoko rwenyu pamusoro wake.
Baba vake vakaramba, vakati, Ndinoziva, mwana wangu, ndinoziva; naiyewo achava rudzi, naiye achava mukuruwo, asi munununa wake achava mukuru kwaari, vana vake vachava ndudzi zhinji.
Akavaropafadza nomusi iwoyo, akati, Newe vaIsiraeri vacharopafadza, vachiti, Mwari ngaakuite saEfuremu naManase. Akaisa Efuremu pamberi paManase.
Zvino Isiraeri akati kuna Josefa, Tarira, ndofa, asi Mwari achava nemi, achakudzoserai kunyika yamadzibaba enyu.
Newe ndinokupa mugove mumwe kupfuura vamwe vana vababa vako, uya wandakatorera vaAmori nomunondo wangu nouta hwangu.

49

Zvino Jakobho akadana vanakomana vake, akati, Unganai, ndikuudzei zvamuchaitirwa namazuva anotevera.
Unganai, munzwe imwi vanakomana vaJakobho, Teererai Isiraeri, baba venyu.
Rubheni, iwe uri dangwe rangu, simba rangu, nokutanga kwesimba rangu; Ukuru hwokukudzwa, noukuru hwesimba;
Unotutuma semvura, haungavi noukuru; Nokuti wakakwira kuuvato hwababa vako, Ukahusvibisa; wakakwira kumubhedha wangu.
Simiyoni naRevhi vana vamai vamwe; Minondo yavo inhumbi dzokurwa nesimba.
Mweya wangu, rega kupinda pakurangana kwavo. Kukudzwa kwangu, rega kusanganiswa neungano dzavo; Nokuti pakutsamwa kwavo vakauraya vanhu, Nokuda kwavo vakagura marunda emombe.
Kutsamwa kwavo ngakutukwe, nokuti kwakanga kuri kukuru; Nehasha dzavo, nokuti dzakanga dzakaipa; Ndichavaparadzanisa pakati paJakobho, nokuvaparadzira pakati paIsiraeri.
Iwe Judha, ucharumbidzwa nehama dzako; Ruoko rwako ruchava pamitsipa yavavengi vako, Vana vababa vako vachakotamira pamberi pako.
Judha mwana weshumba; Iwe mwanakomana wangu, wakwira uchibva pane zvakaurawa; Wakakotama, wakanyanga seshumba, Seshumbakadzi; ndianiko achamumutsa?
Tsvimbo youshe haingabvi kuna Judha, Kana mudonzvo, womubati pakati petsoka dzake, Kusvikira Shiro auya; Ndudzi dzose dzavanhu dzichamuerera iye.
Unosungira mbongoro yake pamuzambiringa, Nomwana wembongoro yake pamuzambiringa wakaisvonaka; Wakasuka nguvo dzake newaini, Nezvokufuka zvake muropa ramazambiringa.
Meso ake achatsvuka newaini, Meno ake achachena nomukaka.
Zebhuroni uchagara pamhenderekedzo dzegungwa; iye achava mhenderekedzo panopinda zvikepe; Muganhu wake uchasvika paSidhoni.
Isakari imbongoro ine simba, Inovata pasi, pakati pamatanga amakwai;
Akaona zororo kuti rakanaka, Nenyika kuti inofadza, Akarerekera fudzi rake kuti atakure, akava mubatiri wechibharo.
Dhani achatonga mhaka dzavanhu vake, Sorumwe rwamarudzi alsiraeri.
Dhani achava senyoka munzira, Semvumbi mugwara, Inoruma zvitsitsinho zvebhiza; Kuti mutasvi waro awire pasi neshure.
Ndakamirira ruponeso rwenyu imwi Jehovha.
Gadhi achavambwa nehondo, Asi iye achavavamba pazvitsitsinho zvavo.
Asheri achava nezvokudya zvakakora; Iye achauya nezvinonaka zvinofanira madzishe.
Nafutari isheche yemhembwe yakasununguka, Anotaura mashoko akanaka.
Josefa idavi rinobereka, Idavi rinobereka patsime; matavi ake anodarika madziro.
Vapfuri nouta vakamutambudza kwazvo, Vakamupfura, vakamuvenga;
asi uta hwake hwakaramba hune simba, Maoko ezvanza zvake akasimbiswa Namaoko oWamasimbaose waJakobho, (Ndipo panobva Mufudzi, neBwe raIsiraeri),
Mwari wababa vako achakubatsira; Wamasimbaose, achakuropafadza, Neropafadzo dzinobva kudenga kumusoro, Ropafadzo dzinobva pamvura yakadzika iri pasi, Ropafadzo dzamazamu nedzechizvaro.
Ropafadzo dzababa vako Dzinopfuura ropafadzo dzamateteguru angu, kusvikira kumugumo wamakomo asingaperi; dzichagara pamusoro waJosefa, Pamusoro waiye akanga ari muchinda pakati pehama dzake.
Bhenjamini ibere rinoparadza; Mangwanani achadya chakaurawa, Madeko achagovera zvaakapamba.
Ava vose ndiwo marudzi ane gumi namaviri alsiraeri; ndizvo zvakataura baba vavo kwavari, akavaropafadza; vakaropafadza mumwe nomumwe nokuropafadzwa kwake.
Akavaraira, akati kwavari, Ini ndobva ndosanganiswa navanhu vangu; mundondiviga kuna madzibaba angu, mubako riri mumunda waEfuroni, muHeti,
bako riri mumunda weMakapera, pakatarisana neMamure, panyika yeKenani, riya rakatengwa naAbhurahamu pamwechete nomunda kuna Efuroni, muHeti, kuti zvive zvake, ive nzvimbo yake yokuviga;
ndipo pavakaviga Abhurahamu naSara, mukadzi wake; ndipo pavakaviga Isaka naRabheka, mukadzi wake; ndipo pandakaviga Rea;
munda uya nebako riri mukati mawo, zvakatengwa kuvana vaHeti.
Zvino Jakobho akati apedza kuraira vanakomana vake, akadzosera tsoka dzake pauvato, mweya wake ukabuda, akasanganiswa navanhu vake

50

Zvino Josefa akawira pamusoro pechiso chababa vake, akachema pamusoro pake, akamutsvoda.
Josefa akaraira varanda vake dzakanga dziri nanga, kuti vasasike baba vake, nanga dzikasasika Isiraeri.
Vakapedza mazuva makumi mana naye, nokuti ndiwo aiva mazuva okusasika; navaljipiti vakamuchema mazuva makumi manomwe.
Zvino mazuva okuchema akati apera, Josefa akataura naveimba yaFarao, akati, Zvino kana ndawana nyasha kwamuri, dorevai munzeve dzaFarao, muti,
Baba vangu vakandipikisa, vachiti tarirai, ndofa, muhwiro hwandakazvicherera munyika yeKenani, ndimo maunofanira kundivigamo. Naizvozvo zvino donditenderai henyu kuti ndikwire, ndindoviga baba vangu, ndogodzoka.
Farao akati, Kwira, undoviga baba vako, sezvavakakupikisa.
Ipapo Josefa akakwira kundoviga baba vake, navaranda vose vaFarao vakakwira naye, vakuru veimba yake, navakuru venyika yeIjipiti,
naveimba yose yaJosefa, navana vababa vake, naveimba yababa vake; asi pwere dzavo dzoga, namakwai avo, nemombe dzavo, vakazvisiya panyika yeGosheni,
ngoro navatasvi vamabhiza vakakwirawo naye, rikava boka guru-guru.
Vakasvika paburiro raAtadhi, riri mhiri kwaJorodhani, vakamuchemapo nokuchema kukuru kwazvo; akachema baba vake mazuva manomwe.
Zvino vanhu vaigara panyika yeKenani vakati vachiona kuchema ikoko paburiro raAtadhi, vakati, Kuchema uku kukuru ndokwavaIjipiti; naizvozvo nzvimbo iyoyo ikatumidzwa Abherimiziraimu, iri mhiri kwaJorodhani.
Vanakomana vake vakamuitira sezvaakanga avaraira;
nokuti vanakomana vake vakandomuisa kunyika yeKenani, vakamuviga mubako romunda weMakapera, riya rakatengwa naAbhurahamu, pamwechete nomunda kuna Efuroni muHeti, pakatarisana neMamure, kuti zvive zvake, ive nzvimbo yake yokuviga.
Zvino Josefa akati aviga baba vake, akadzokera Ijipiti, iye navakoma vake, navose vakanga vakwira naye kundoviga baba vake.
Zvino vakoma vaJosefa vakati vachiona kuti baba vavo vafa, vakati, Zvimwe Josefa achativenga, nokutitsiva kwazvo zvakaipa zvose zvatakamuitira.
Naizvozvo vakatuma shoko kuna Josefa, vachiti, Baba venyu vakaraira, vasati vafa, vachiti,
Taurai naJosefa, muti, Zvino dokanganwirai henyu kutadza kwavakoma venyu; nezvivi zvavo, nokuti vakakuitirai zvakaipa; zvino dokanganwirai kutadza kwavaranda vaMwari wababa venyu. Josefa akachema pakutaura kwavo naye.
Vakuru vake vakaendawo, vakawira pasi pamberi pake, vakati, Tarirai, tiri varanda venyu.
Josefa akati kwavari, Musatya, nokuti ini ndiri pachigaro chaMwari here?
Kana murimwi, makandifungira zvakaipa, asi Mwari akafunga kuti zvive zvakanaka, kuti zviitwe sezvinoitwa nhasi, kuti vanhu vazhinji vararamiswe.
Naizvozvo zvino musatya, ndichakuchengetai, nepwere dzenyu. Akavanyaradza, akataura navo nomoyo wakanaka.
Josefa akagara Ijipiti, iye naveimba yababa vake; Josefa akagara makore ane zana negumi.
Josefa akaona vana vaEfuremu vorudzi rwechitatu, navana vaMakiri, mwanakomana waManase, vakaberekerwa pamabvi aJosefa.
Josefa akati kuhama dzake, Ndofa, asi Mwari achakumutsai zvirokwazvo, nokukubudisai panyika ino, muende kunyika yaakapikira Abhurahamu naIsaka, naJakobho.
Josefa akapikisa vana vaIsiraeri, akati, Mwari achakumutsai zvirokwazvo, nemi mutakure mapfupa angu abve pano.
Ipapo Josefa akafa, ava namakore ane zana negumi; vakamusasika, akaiswa mubhokisi paIjipiti.

Rechtsinhaber*in
Multilingual Bible Corpus

Zitationsvorschlag für dieses Objekt
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Genesis (Shona). Genesis (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C557-8