1 John (Shona)
1
1:1b.1JO.001.001 Izvo zvakanga zviripo kubva pakutanga, zvatakanzwa, zvatakavona nemeso edu, zvatakatarira, nezvatakabata namavoko edu, zveShoko rovupenyu
1:2b.1JO.001.002 (vupenyu bwakaratidzwa, tikabwuvona, tinopupura nokukuparidzirai vupenyu bwusingaperi, bwakanga bwuri kunaBaba, bwukaratidzwa kwatiri);
1:3b.1JO.001.003 Izvo zvatakavona, nezvatakanzwa, ndizvo zvatinokuparidzai vo, kuti nemi vo muyanane nesu; kuyanana kwedu tinako naBaba, noMwanakomana wake Jesu Kristu.
1:4b.1JO.001.004 Zvinhu izvi tinokunyorerai, kuti mufaro wenyu uzadziswe. Fambai muchiedza, murevurure zvivi zvenyu
1:5b.1JO.001.005 Heyi mharidzo yatakanzwa kwaari, yatinokuparidzirai vo, kuti Mwari chiedza, hamunerima maari.
1:6b.1JO.001.006 Kana tichiti, tinoyanana naye, tichifamba murima tinoreva nhema, hatiiti zvokwadi;
1:7b.1JO.001.007 asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari pachiedza, tinoyanana isu; neropa raJesu Kristu, Mwanakomana wake, rinotinatsa pazvivi zvose.
1:8b.1JO.001.008 Kana tichiti, hatinezvivi, tinozvinyengera, zvokwadi haizi matiri.
1:9b.1JO.001.009 Kana tichizvirevurura zvivi zvedu, iye wakatendeka wakarurama, nokudaro kuti unotikanganwira zvivi zvedu, nokutinatsa pakusarurama kwose.
1:10b.1JO.001.010 Kana tichiti, hatina kutadza, tinomuita murevi wenhema, neshoko rake harizi matiri.
2
2:1b.1JO.002.001 Vana vangu vaduku, ndinokunyorerai zvinhu izvi, kuti, murege kutadza. Kana munhu achitadza, tinoMurevereri kunaBaba, iye Jesu Kristu wakarurama;
2:2b.1JO.002.002 ndiye mudzikinuri wezvivi zvedu; haazi wezvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yose vo.
2:3b.1JO.002.003 Ndizvo zvinotizivisa kuti tinomuziva, kana tichichengeta mirairo yake.
2:4b.1JO.002.004 Uyo, unoti, ndinomuziva, asingachengeti mirairo yake, murevi wenhema, zvokwadi haizi maari;
2:5b.1JO.002.005 asi uyo, unochengeta shoko rake, rudo rwaMwari rwakakwaniswa maari zvirokwazvo. Ndizvo zvinotizivisa kuti tiri maari;
2:6b.1JO.002.006 uyo, unoti, ndinogara maari, unofanira kufamba vo sezvaakafamba iye. Murairo worudo
2:7b.1JO.002.007 Hamadzangu, handikunyoririyi murairo mutsva, asi murairo wekare, wamakanga munawo kubva pakutanga; murairo wekare ndiro shoko ramakanzwa.
2:8b.1JO.002.008 Pamwe zve ndinokunyorerai murairo mutsva, chiri chinhu chazvokwadi maari nomamuri; nokuti rima ropfuvura, chiedza chazvokwadi chotovhenekera.
2:9b.1JO.002.009 Uyo, unoti, ndiri muchiedza, achivenga hama yake, uchiri murima kusvikira zvino.
2:10b.1JO.002.010 Unoda hama yake, unogara muchiedza, hapane chigumbuso maari.
2:11b.1JO.002.011 Asi unovenga hama yake, uri murima, unofamba murima haazivi kwaanoenda, nokuti rima rakapofumadza meso ake. Musada nyika
2:12b.1JO.002.012 Ndinokunyorerai, vana vaduku, nokuti makakanganwirwa zvivi nokuda kwezita rake.
2:13b.1JO.002.013 Ndinokunyorerai, madzibaba, nokuti munoziva iye wakanga aripo kubva pakutanga. Ndinokunyorerai, majaya, nokuti makakunda wakaipa. Ndakunyorerai, vana vaduku, nokuti munoziva Baba.
2:14b.1JO.002.014 Ndakunyorerai, madzibaba, nokuti munoziva iye wakanga aripo kubva pakutanga. Ndakunyorerai, majaya, nokuti munesimba, neshoko raMwari rinogara mamuri, makakunda wakaipa.
2:15b.1JO.002.015 Musada nyika kunyange nezvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari.
2:16b.1JO.002.016 Nokuti zvose zviri munyika, zvinoti, kuchiva kwenyama, nokuchiva kwameso, nokuzvikudza kwovupenyu, hazvibvi kunaBaba, asi panyika.
2:17b.1JO.002.017 Nyika inopfuvura nokuchiva kwayo; asi unoita kuda kwaMwari, unogara nokusingaperi. Antikristu nokuvuya kwaShe
2:18b.1JO.002.018 Vana vaduku, inguva yokupedzisira; sezvamakanzwa kuti antikristu unovuya, nazvino vana antikristu vazhinji vavapo; ndizvo zvinotizivisa kuti yava nguva yokupedzisira.
2:19b.1JO.002.019 Vakabva kwatiri, asi vakanga vasati vari vedu, nokuti dai vaive vedu, vangadai vaigara nesu; asi vakabva kuti vavonekwe kuti vose havazi vedu.
2:20b.1JO.002.020 Imi munokuzodzwa kunobva kunaiye Mutsvene, munoziva zvose.
2:21b.1JO.002.021 Handina kukunyorerai ndichiti hamuzivi zvokwadi, asi nokuti munoiziva, vuye nokuti hakunenhema dzingabva pazvokwadi.
2:22b.1JO.002.022 Ndianiko murevi wenhema, kana asati ari iye unoramba kuti Jesu ndiye Kristu? Ndiye antikristu, unoramba Baba noMwanakomana.
2:23b.1JO.002.023 Aninani unoramba Mwanakomana, naiye haanaBaba vo.
2:24b.1JO.002.024 Kana muri imwi, izvo zvamakanzwa kubva pakutanga, ngazvigare mamuri, nemi vo muchagara muMwanakomana, nomunaBaba.
2:25b.1JO.002.025 Ndichochi chipikirwa chaakatipikira, ndibwo vupenyu bwusingaperi.
2:26b.1JO.002.026 Zvinhu izvi ndakakunyorerai pamusoro pavanokutsausai.
2:27b.1JO.002.027 Kana muri imwi, kuzodzwa kwamakagamuchira kwaari kunogara mamuri, hamufaniri kuti mudzidziswe nomunhu; asi kuzodzwa kwake, sezvakunokudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose, kuri kwazvokwadi, dzisati dziri nhema, se zvakwakakudzidzisai, garai maari.
2:28b.1JO.002.028 Zvino, vana vaduku, garai maari,kuti, kana achizovoneswa, tive nokusatya, tirege kunyadziswa vo pamberi pake pakuvuya kwake.
2:29b.1JO.002.029 Kana muchiziva kuti iye wakarurama zivai vokuti mumwe nomumwe unoita zvakarurama wakaberekwa naye.
3
3:1b.1JO.003.001 Tarirai kukura kworudo rwa takaitirwa naBaba, kuti tinzi vanakomana vaMwari; ndizvo zvatiri vo; saka nyika haitizivi, nokuti haina kumuziva iye.
3:2b.1JO.003.002 Vadikanwa, zvino tiri vana vaMwari, vuye zvichigere kuratidzwa kuti tichazovei. Tinoziva kuti kana achizovoneswa, isu tichafanana naye; nokuti tichamuvona sezvaakaita.
3:3b.1JO.003.003 Mumwe nomumwe unetariro iyi kwaari, unozvichenesa sezvaakachena iye.
3:4b.1JO.003.004 Mumwe nomumwe unoita zvivi, unodarika nomurairo vo; zvivi ndiko kudarika murairo.
3:5b.1JO.003.005 Munoziva kuti iye wakavoneswa kuti abvise zvivi; maari hamunezvivi.
3:6b.1JO.003.006 Mumwe nomumwe unogara maari, haaiti zvivi; mumwe nomumwe unoita zvivi, haana kumuvona kana kumuziva.
3:7b.1JO.003.007 Vana vaduku, musatsauswa nomunhu; uyo, unoita zvakarurama, wakarurama, saiye akarurama.
3:8b.1JO.003.008 Uyo, unoita zvivi, ndowaDhiabhorosi, nokuti Dhiabhorosi unoita zvivi kubva pakutanga. Mwanakomana waMwari wakavoneswa nemhaka iyi kuti aparadze mabasa aDiaborosi.
3:9b.1JO.003.009 Mumwe nomumwe wakaberekwa naMwari haaiti zvivi, nokuti mbeu yake inogara maari, haagoni kuita zvivi, nokuti wakaberekwa naMwari.
3:10b.1JO.003.010 Vana vaMwari vanovoneswa naizvozvi, navana vaDhiabhorosi; mumwe nomumwe usingaiti zvakarurama, haazi waMwari, naiye vo usingadi hama yake.
3:11b.1JO.003.011 Nokuti ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga, kuti tidane;
3:12b.1JO.003.012 tisingaiti saKaini, wakanga ari wowakaipa, akavuraya munununa wake. Wakamuvurayireiko? Nokuti mabasa ake akanga akaipa, asi omunununa wake akanga akarurama.
3:13b.1JO.003.013 Musashamiswa, hama dzangu, kana nyika ichikuvengai.
3:14b.1JO.003.014 Tinoziva kuti takabva murufu, tapinda muvupenyu, nokuti tinoda hama. Uyo, usingadi, hama yake unogara murufu.
3:15b.1JO.003.015 Mumwe nomumwe unovenga hama yake, muvurayi; munoziva kuti hakunomuvurayi unovupenyu bwusingaperi bwugere maari.
3:16b.1JO.003.016 Ndozvatinoziva rudo nazvo, kuti wakatipa vupenyu bwake; nesu vo tinofanira kupa hama vupenyu bwedu.
3:17b.1JO.003.017 Asi kana munhu anefuma yenyika, akavona hama yake ichishaiwa, akamupfigira tsitsi dzake, rudo rwaMwari runogara seiko maari?
3:18b.1JO.003.018 Vana vaduku, ngatirege kuda neshoko kana norurimi, asi nebasa nezvokwadi.
3:19b.1JO.003.019 Ndizvo zvatichaziva nazvo kuti tiri vezvokwadi, tigosimbisa moyo yedu ichitipa mhaka, Mwari mukuru kumoyo yedu, unoziva zvose.
3:20b.1JO.003.020 nokuti kana mnoyo yedu icitipa mhaka, Mwari mukuru kumwoyo vedu, unoziwa zose.
3:21b.1JO.003.021 Vadikanwa, kana moyo usingatipi mhaka, tinako kusatya pamberi paMwari;
3:22b.1JO.003.022 vuye zvose zvatinokumbira tinopiwa naye, nokuti tinochengeta mirairo yake, tichiita zvinomufadza.
3:23b.1JO.003.023 Ndiwo murairo wake, kuti titende kuzita roMwanakomana wake, Jesu Kristu, vuye tidane, sezvaakatiraira.
3:24b.1JO.003.024 Unochengeta mirairo yake, unogara maari, naiye maari. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti unogara matiri, noMweya waakatipa.
4
4:1b.1JO.004.001 Vadikanwa, musatenda mweya yose, asi muidze mweya, kuti muvone kana yakabva kunaMwari; nokuti vaporofita vazhinji venhema vakabudira munyika.
4:2b.1JO.004.002 Ndizvo zvamunoziva nazvo Mweya waMwari: Mweya mumwe nomumwe unopupura kuti Jesu Kristu wakavuya munyama, ndowaMwari.
4:3b.1JO.004.003 Mweya mumwe nomumwe usingapupuri kuti Jesu Kristu wakavuya panyama, hauzi waMwari; iwo ndowaantikristu, wamakanzwa kuti unovuya nazvino watova panyika.
4:4b.1JO.004.004 Vana vaduku, imi, muri vaMwari, makavakunda, nokuti uyo, uri mamuri, mukuru kunaiye, uri munyika.
4:5b.1JO.004.005 Ivo ndovenyika, naizvozvo vanotaura savenyika, nenyika inovanzwa.
4:6b.1JO.004.006 Isu tiri vaMwari; unoziva Mwari, unotinzwa; usi waMwari, haatinzwi. Ndizvo zvatinoziva nazvo Mweya wazvokwadi, nomweya wokutsauka. Rudo rwose runobva kunaMwari
4:7b.1JO.004.007 Vadikanwa, ngatidane; nokuti rudo runobva kunaMwari, mumwe nomumwe, unoda, wakaberekwa naMwari, unoziva Mwari.
4:8b.1JO.004.008 Usingadi, haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo.
4:9b.1JO.004.009 Rudo rwaMwari rwakaratidzwa kwatiri nechinhu ichi, kuti Mwari wakatuma Mwanakomana wake, wakaberekwa ari mumwe chete, munyika, kuti tive novupenyu naye.
4:10b.1JO.004.010 Rudo ruri pachinhu ichi, kuti hatizisu takada Mwari, asi kuti ndiye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave rudzikinuro rwezvivi zvedu.
4:11b.1JO.004.011 Vadikanwa, kana Mwari akatida saizvozvo, nesu vo tinofanira kudana.
4:12b.1JO.004.012 Hakuno munhu wakambovona Mwari; kana tichidana, Mwari unogara matiri, norudo rwake runokwaniswa matiri.
4:13b.1JO.004.013 Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinogara maari, naiye matiri, nokuti wakatipa zvoMweya wake.
4:14b.1JO.004.014 Isu takavona, vuye tinopupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana, kuti ave Muponesi wenyika.
4:15b.1JO.004.015 Aninani unopupura kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari, Mwari unogara maari, naiye munaMwari.
4:16b.1JO.004.016 Nesu takaziva, tikatenda rudo urwu, Mwari rwaanarwo kwatiri. Mwari rudo; unogara murudo, unogara munaMwari, naMwari maari.
4:17b.1JO.004.017 Rudo rwakakwaniswa matiri pachinhu ichi, kuti tirege kutya nezuva rokutongwa; nokuti sezvaakaita iye, ndizvo zvatakaita vo panyika ino.
4:18b.1JO.004.018 Hakunokutya murudo; asi rudo, rwakakwana, runodzinga kutya, nokuti kutya kunorobwa; munhu, unotya, haana kukwaniswa parudo.
4:19b.1JO.004.019 Isu tinoda, nokuti iye wakatanga kutida.
4:20b.1JO.004.020 Kana munhu achiti, ndinoda Mwari, achivenga hama yake, murevi wenhema; nokuti usingadi hama yake yaakavona, ungada seiko Mwari, waasina kuvona?
4:21b.1JO.004.021 Iwoyu murairo wakabva kwaari, tinawo, wokuti unoda Mwari, ngaade vo hama yake.
5
5:1b.1JO.005.001 Mumwe nomumwe, unotenda kuti Jesu ndiye Kristu, iye wakaberekwa naMwari; mumwe nomumwe, unoda iye wakabereka, unoda vo wakaberekwa naye.
5:2b.1JO.005.002 Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinoda vana vaMwari, kana tichida Mwari, tichiita mirairo yake.
5:3b.1JO.005.003 Nokuti rudo rwaMwari ndirwo, kuti tichengete mirairo yake; mirairo yake hairemi.
5:4b.1JO.005.004 Nokuti chinhu chipi nechipi, chinoberekwa naMwari chinokunda nyika; uku ndiko kukunda kunokunda nyika, ndiko kutenda kwedu.
5:5b.1JO.005.005 Ndianiko unokunda nyika? Haazi iye unotenda kuti Jesu Kristu; ndiye mwanakomana waMwari here?
5:6b.1JO.005.006 ndiye wakavuya nemvura neropa, iye Jesu Kristu; haana kuvuya nemvura bedzi, asi nemvura neropa. Mweya ndiye unopupura nokuti mweya ichokwadi
5:7b.1JO.005.007 Nokuti vatatu vanopupura kudenga Baba, Shoko naMweya Mutsvene, ava vatatu ndimumwe.
5:8b.1JO.005.008 Varipo vatatu vanopupura panyika zvinoti Mweya, mvura neropa izvi zvitatu ava vatatu vanotenderana pachinhu chimwe.
5:9b.1JO.005.009 Kana tichigamuchira kupupura kwavanhu, kupupura kwaMwari kukuru; nokuti kupupura kwaMwari ndiko, kuti wakapupura pamusoro poMwanakomana wake.
5:10b.1JO.005.010 Uyo, unotenda kuMwanakomana waMwari, kupupura unako mukati make; usingatendi Mwari, wakamuita murevi wenhema; nokuti haana kutenda kupupura kwakapupurirwa naMwari pamusoro poMwanakomana wake.
5:11b.1JO.005.011 Kupupura ndiko, kuti Mwari wakatipa vupenyu bwusingaperi; zvino vupenyu ubwu bwuri muMwanakomana wake.
5:12b.1JO.005.012 UnoMwanakomana, unovupenyu; usinoMwanakomana waMwari haanovupenyu. Zvatinoziva
5:13b.1JO.005.013 Ndakakunyorerai zvinhu izvi kuti mugoziva kuti munovupenyu bwusingaperi, iyemwi munotenda kuzita romwanakomana waMwari.
5:14b.1JO.005.014 Ndiko kusatya, kwatinako kwaari, kuti kana tichikumbira chinhu nokuda kwake, unotinzwa;
5:15b.1JO.005.015 zvino kana tichiziva kuti unotinzwa pazvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tapiwa mikumbiro yatakakumbira kwaari.
5:16b.1JO.005.016 Kana munhu achivona hama yake ichiita chinhu chisati chiri chorufu, uchakumbira, Mwari agomupa vupenyu bwunopiwa vasingaiti chivi chorufu. Chiripo chivi chorufu; handiti akumbire pamusoro pechichi.
5:17b.1JO.005.017 Kusarurama kwose chivi; zvino chivi chiripo chisati chiri chorufu.
5:18b.1JO.005.018 Tinoziva kuti mumwe nomumwe wakaberekwa naMwari haaiti zvivi; asi wakaberekwa naMwari unochengetwa naye, wakaipa haangamubati.
5:19b.1JO.005.019 Tinoziva kuti tiri vaMwari, nenyika yose ivete munaiye wakaipa.
5:20b.1JO.005.020 Tinoziva kuti mwanakomana waMwari wakavuya, akatipa kuziva, kuti tizive iye wazvokwadi; nesu tiri munaiye wazvokwadi, mumwanakomana wake Jesu Kristu. Ndiye Mwari wazvokwadi, novupenyu bwusingaperi.
5:21b.1JO.005.021 Vana vaduku, zvichenjererei pazvifananidzo.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. 1 John (Shona). 1 John (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C60E-A