2 Peter (Shona)

2 Peter (Shona)

1

1:1b.2PE.001.001 Simeoni Petro, muranda nomuapostora waJesu Kristu, kunavakagoverwa kutenda kumwe nokwedu, kunokosha, nokururama kwaMwari wedu noMuponesi Jesu Kristu;

1:2b.2PE.001.002 nyasha ngadzive nemi norugare ngaruwanzwe pakuziva Mwari naJesu, Ishe wedu;

1:3b.2PE.001.003 nokuti nesimba rovuMwari bwake takapiwa zvose zvinodikanwa pavupenyu napakunamata Mwari, nenzira yokumuziva iye wakatidana nokubwinya kwake nokunaka;

1:4b.2PE.001.004 akatipa nazvo zvipikirwa zvinokosha zvakakura kwazvo; kuti nazvo muve vanhu vakagoverwa vuMwari, matiza kuvora kuri panyika nokuchiva. Shingairai pavukristu

1:5b.2PE.001.005 Zvino nemhaka iyi muchishingaira kwazvo wedzerai kunaka pakutenda kwenyu, napakunaka wedzerai kuziva;

1:6b.2PE.001.006 napakuziva, kuzvidzora; napakuzvidzora, kutsungirira; napakutsungirira, kunamata Mwari;

1:7b.2PE.001.007 napakunamata Mwari, kuda vatendi, napakuda vatendi, rudo.

1:8b.2PE.001.008 Nokuti kana zvinhu izvi zviri mamuri, zvichiramba zvichiwanzwa, zvichakuitai vanhu vasinovusimbe navasingashaiwi zvibereko pakuziva Ishe wedu, Jesu Kristu.

1:9b.2PE.001.009 Nokuti munhu, usinaizvozvi ibofu, unovona zviri pedo bedzi, wakanganwa kusukwa kwezvivi zvake zvakare.

1:10b.2PE.001.010 Saka, hama dzangu, shingairai kwazvo kuti musimbise kudanwa nokusanangurwa kwenyu; nokuti kana muchiita izvozvi hamungatongogumburwi;

1:11b.2PE.001.011 nokuti muchazviita muchazarurirwa zvakanaka kuti mupinde muvushe bwusingaperi bwaShe wedu, noMuponesi Jesu Kristu.

1:12b.2PE.001.012 Saka handingaregi kukuyevudzai zvinhu izvi nguva dzose, kunyange muchizviziva henyu, vuye makasimba pazvokwadi yamunayo.

1:13b.2PE.001.013 Ndinoti zvakanaka, kuti ndichiri mutabhernakeri ino ndikumutsei nokukuyevudzai;

1:14b.2PE.001.014 ndichiziva kuti kubviswa kwetabhernakeri yangu kwava pedo, sezvandakaratidzwa naShe wedu Jesu Kristu.

1:15b.2PE.001.015 Zvino ndichashingaira, kuti mugogona kurangarira zvinhu izvi nguva dzose kana ndaenda.

1:16b.2PE.001.016 Nokuti hatina kutevera ngano dzokufungwa nenjere, nguva yatakakuzivisai simba nokuvuya kwaShe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri vanhu vakavona vumambo bwake.

1:17b.2PE.001.017 Nokuti iye wakapiwa kukudzwa nokubwinya naMwari, Baba, panguva iya, yakavuya inzwi rakadai kwaari.richibva kukubwinya kukuru-kuru, richiti: Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira.

1:18b.2PE.001.018 Inzwi iri takarinzwa isu, richibva kudenga, nguva yatakanga tinaye mugomo dzvene.

1:19b.2PE.001.019 Vuye tineshoko rovuporofita rakasimba kwazvo, ramunoita zvakanaka kana muchiriterera, rakaita somwenje unovhenekera munerima, kusvikira vutonga bwuchitsuka, nenyamasase ichibudira moyo yenyu;

1:20b.2PE.001.020 muchiziva pakutanga, kuti hakunovuporofita bworugwaro bwunongodudzirwa nomunhu;

1:21b.2PE.001.021 nokuti hakunovuporofita bwakatongovuya nokuda kwomunhu, asi vanhu vatswene vaMwari vakataura, vachimutswa noMweya Mutsvene.

2

2:1b.2PE.002.001 Asi kwakanga kunavaporofita venhema pakati pavanhu, sezvavachavapo pakati penyu vo vadzidzisi venhema, vachapinza pakavanda dzidziso dzakatsauka dzinoparadza, vachiramba naiye Tenzi wakavatenga, vachizviwisira kuparadzwa kunokurumidza.

2:2b.2PE.002.002 Vazhinji vachatevera vutere bwavo; nokuda kwavo nzira yezvokwadi ichazvidzwa.

2:3b.2PE.002.003 pakukarira kwavo mari vachakunyengerai namashoko amano-mano; kutongwa kwavo, kwakatarwa kare, hakunonoki, nokuparadzwa kwavo hakukotsiri.

2:4b.2PE.002.004 Nokuti kana Mwari asina kurega vatumwa vakatadza, asi wakavakandira muTartaro nokuvaisa kumakomba erima, kuti vachengeterwe kutongwa;

2:5b.2PE.002.005 akasarega vo nyika yekare, asi wakaponesa Noa muparidzi wokururama pamwe chete navamwe vanomwe, nguva yaakavuyisa mvura zhinji panyika yavanhu vakanga vasingadi Mwari;

2:6b.2PE.002.006 akashandura maguta eSodhoma neGomora akaaita madota, akaatongera kuti aparadzwe, akaaita chive chiratidzo kunaivo vachagara vasingadi Mwari;

2:7b.2PE.002.007 akasunungura Roti, wakanga akarurama, wakazvidya moyo nokuda kwomufambiro wakasviba wavakashata.

2:8b.2PE.002.008 (nokuti munhu uyu wakarurama, agere pakati pavo achivona nokunzwa, wakarwadzisa mweya wake wakarurama zuva rimwe nerimwe namabasa avo akanga asina kururama).

2:9b.2PE.002.009 Ishe unoziva kusunungura pamiidzo vanonamata Mwari, nokuchengeta vasakarurama vave pakurobwa kusvikira pazuva rokutongwa;

2:10b.2PE.002.010 zvikuru ivo vanofamba nomutovo wenyama pakuchiva kunosvibisa nokuzvidza vakuru; vanotsunga, vachiita nokuda kwavo, asingatyi kutuka avo vanokubwinya;

2:11b.2PE.002.011 vatumwa, kunyange vanovapfuvura nesimba novukuru, havavuyi pamberi paShe nemhosva yokuvapomera nayo.

2:12b.2PE.002.012 Asi ava zvavanotuka zvavasingazivi, vakaita semhuka dzisinomurangariro, dzakaberekwa kuti dzibatwe, dziparadzwe, naivo vachaparadzwa pakuvora kwavo,

2:13b.2PE.002.013 vachiitirwa zvisakarurama, uri mubairo wokusarurama kwavo; savaya vanoti, mafaro kuita zvakaipa masikati, ivo makwapa namavara, vanofara nokunyengera kwavo kana vachidya nemi;

2:14b.2PE.002.014 vanameso azere novupombwe, asingaregi kutadza; vanonyengera vanhu vasinesimba; vanomoyo wakadzidziswa kuchiva; ivo vana vokutukwa;

2:15b.2PE.002.015 vakasiya nzira yakarurama, vakatsauka, vakatevera nzira yaBharami, mwanakomana waBheori, wakada mubairo wokusarurama;

2:16b.2PE.002.016 asi wakarairwa pamusoro pokudarika kwake, nokuti mbongoro, isingagoni kutaura, yakataura nenzwi romunhu, ikadzivisa kupenga kwomuporofita.

2:17b.2PE.002.017 Ivava matsime asinemvura, mhute inodzingwa nemhepo; ivo vakachengeterwa kusviba kwerima nokusingaperi peri.

2:18b.2PE.002.018 Nokuti nokutaura kwavo mashoko mazhinji okuzvikudza asinamaturo, vanonyengera pakuchiva kwenyama novutere, avo vachangotiza vachibva kunavanogara pakutsauka;

2:19b.2PE.002.019 vachivapikira kusunungurwa, nyamba ivo vamene varanda vokuvora; nokuti waakundwa naye, munhu unoitwa muranda wake.

2:20b.2PE.002.020 Nokuti ivo, kana nenzira yokuziva Ishe, Muponesi Jesu Kristu, vambotiza havo zvinosvibisa zvenyika, kana vakabatwa nokukundwa zve nazvo, kuguma kwavo kwaipa kupfuvura kutanga kwavo.

2:21b.2PE.002.021 Nokuti zvaiva nani kwavari kana vasaiziva nzira yokururama, pakuti vadzoke pamurairo mutsvene wavakapiwa, wavakanga vambouziva havo.

2:22b.2PE.002.022 Zvinorebwa neshumo yazvokwadi ndizvo zvakaitwa kwavari, zvinoti: Imbwa yakadzokera kumarutsi ayo, nenguruve yakanga yashambidzwa, kukuvumburuka mumatope.

3

3:1b.2PE.003.001 Vadikanwa, iyi ndiyo mwadhi yechipiri yandinokunyorerai zvino; panaidzedzi dzose mbiri ndinomutsa ndangariro dzenyu ndichiku yevudzirai;

3:2b.2PE.003.002 kuti mugorangarira mashoko akataurwa kare navaporofita vatsvene, nomurairo waShe, Muponesi, wamakapiwa navaapostora venyu;

3:3b.2PE.003.003 pakutanga muzive henyu chinhu ichi, kuti pamazuva okupedzisira vaseki vachavuya vachiseka, vachifamba nokuchiva kwavo,

3:4b.2PE.003.004 vachiti: Chipikirwa chokuvuya kwake chiripiko zvino? Nokuti kubva pakuparara kwamadzibaba, zvinhu zvose zvinongoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakutanga kwokusikwa.

3:5b.2PE.003.005 Nokuti vanokanganwa nobwoni chinhu ichi, kuti kare denga raivapo, nenyika yakabudiswa mumvura, yakaitwa nemvura neshoko raMwari;

3:6b.2PE.003.006 nazvo nyika, yaivapo nguva iyo. Yakafukidzwa nemvura ikaparadzwa.

3:7b.2PE.003.007 Asi denga riripo zvino nenyika zvakavigirwa moto neshoko ireri zvinochengeterwa zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari.

3:8b.2PE.003.008 Asi vadikanwa, musakanganwa chinhu chimwe ichi, kuti kunaShe zuva rimwe rakaita samakore anechuru, namakore anechuru, sezuva rimwe.

3:9b.2PE.003.009 Ishe haanonoki kuita sezvaakapikira, sezvinoreva vamwe vachiti: Hunonoka; asi unomoyo murefu kwatiri, nokuti haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vasvike pakutendevuka.

3:10b.2PE.003.010 Asi zuva raShe richavuya sembavha; vusiku naro denga richapfuvura nokutinhira kukuru, nezvedenga zvichaparadzwa zvichipiswa, nenyika namabasa ari mairi achapiswa.

3:11b.2PE.003.011 Izvi zvose zvazvichaparadzwa saizvozvo, imi munofanira kuva vanhu vakadiniko pamufambire wenyu mutsvene nokunamata Mwari,

3:12b.2PE.003.012 imi munotarira nokushuva vo kwazvo kuvuya kwezuva raMwari; naro denga richaparadzwa nokutsva, nezvedenga zvichanyauka zvichipiswa.

3:13b.2PE.003.013 Asi sezvaakapikira, tinotarira denga idzva nenyika itsva, munogara kururama mazviri.

3:14b.2PE.003.014 Saka vadikanwa, zvamunotarira zvinhu izvi, shingairai kuti muwanikwe naye munorugare, musinoruvara, musinemhosva;

3:15b.2PE.003.015 muchiti, moyo murefu waShe wedu ruponeso; saPauro, hama yedu inodikanwa, akakunyorerai vo nokuchenjera kwaakapiwa;

3:16b.2PE.003.016 sezvaanotaura mumwadhi dzake dzose pamusoro pezvinhu izvi; madziri munezvimwe zvikukutu kunzwisiswa; zvino minamiswa, samamwe magwaro vo, navasingazivi navasinesimba, kusvikira vaparadzwa.

3:17b.2PE.003.017 Naizvozvo imi vadikanwa, zvamunoziva zvinhu izvi zvisati zvaitwa, chenjerai kuti murege kurashwa nokutsauka kwavakashata, muwe pakusimba kwenyu.

3:18b.2PE.003.018 Asi kurai panyasha napakuziva Ishe wedu, Muponesi Jesu Kristu. Ngaave nokubwinya zvino, nokusingeperi. Ameni.


Holder of rights
Multilingual Bible Corpus

Citation Suggestion for this Object
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. 2 Peter (Shona). 2 Peter (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C60B-D