1 Peter (Shona)
1
1:1b.1PE.001.001 Petro, muapostora waJesu Kristu, kunavakasanangurwa vari vaeni, vakapararira paPonto, neGaratia, neKapadhokia, neAsia, neBitinia,
1:2b.1PE.001.002 vakasanangurwa nokuziva zviri mberi kwaMwari Baba, muvutsvene bwoMweya, kuti vaterere, vasaswe neropa raJesu Kristu: Nyasha norugare ngazviwanzwe kwamuri. Nhaka yakachengetererwa vakasanangurwa
1:3b.1PE.001.003 Mwari, Baba vaShe wedu, Jesu Kristu, ngaatendwe, wakatibereka zve nengoni dzake huru, kuti tive netariro mhenyu, inovuya nokumuka kwaJesu Kristu kuvakafa,
1:4b.1PE.001.004 kuti tive nenhaka isingavori, isinakusvibiswa, isingasvavi yamakachengeterwa kudenga,
1:5b.1PE.001.005 imi munorindwa nesimba raMwari nokutenda, kuti mupiwe ruponeso, rwakagara rwakagadzirwa, kuti ruratidzwe nenguva yokupedzisira.
1:6b.1PE.001.006 Iyo yamunofarira zvikuru, kunyange zvino, kana zvichifanira, muchichemedzwa nguva duku nemiidzo mizhinji;
1:7b.1PE.001.007 kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunokosha zvikuru kupfuvura ndarama inopera hayo, kunyange ichiidzwa nomoto, kuwanikwe kuchibereka kurumbidzwa, nokubwinya, nokukudzwa pakuvonekwa kwaJesu Kristu;
1:8b.1PE.001.008 iye wamunoda, kunyange musina kumuvona iye wamunotenda kwaari, kunyange musingamuvoni zvino, muchifara zvikuru nomufaro usingagoni kutaurwa, uzere nokubwinya;
1:9b.1PE.001.009 muchipiwa chinovavarirwa nokutenda kwenyu,
1:10b.1PE.001.010 Ndirwo ruponeso rwomweya yenyu.Ruponeso urwu rwakabvunzisiswa nokunzverwa kwazvo navaporofita, vakaporofita, zvenyasha dzamaizoitirwa imi,
1:11b.1PE.001.011 vachinzvera kuti nguva ndeipi kana yakadini, yakataurwa noMweya waKristu, wakanga uri mukati mavo, nguva yaakapupura kare zvokutambudzika kwaKristu, nokubwinya kunozotevera izvozvo.
1:12b.1PE.001.012 Avo, vakaratidzwa kuti vakanga vasingazvibatiri ivo, asi imi, pazvinhu izvo zvamakataurirwa zvino naivo vakakuparidzirai Evhangeri noMweya Mutsvene wakatumwa achibva kudenga; zvinhu izvo vatumwa vanoda kuzvicherekedza. Ivai vatsvene
1:13b.1PE.001.013 Saka zvisungei zvivuno zvendangarairo dzenyu, musvinure, mutarire nomoyo wose kunyasha dzamuchazopiwa pakuvonekwa kwaJesu Kristu;
1:14b.1PE.001.014 muve savana vanoterera, musingaenzanisi mufambire wenyu nokuchiva kwakare pakusaziva kwenyu;
1:15b.1PE.001.015 asi saiye mutsvene wakakudanai, nemi vo mumene muve vatsvene pamufambire wenyu wose;
1:16b.1PE.001.016 nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene,
1:17b.1PE.001.017 Zvino kana muchimuidza Baba, iye unotonga achitarira zvakaitwa nomumwe nomumwe asingatariri zvinovonekwa zvomunhu, garai panguva yovutorwa bwenyu muchitya;
1:18b.1PE.001.018 muchiziva kuti hamuna kudzikinurwa nezvinovora, nesirivheri kana ndarama, pamufambire wenyu usinamaturo, wamakasiyirwa namadzibaba enyu;
1:19b.1PE.001.019 asi neropa raKristu, seregwaiana risina charingapomerwa, risinoruvara;
1:20b.1PE.001.020 iye wakazikanwa kare, nyika isati yavambwa, asi wakaratidzwa pakuguma kwenguva nokuda kwenyu,
1:21b.1PE.001.021 imi, munotenda naye kunaMwari, wakamumutsa kuvakafa, akamupa kubwinya; kuti kutenda kwenyu netariro yenyu zvive kunaMwari.
1:22b.1PE.001.022 Zvamakanatsa mweya yenyu muchiterera zvokwadi Mumweya, kuti mude hama nokusanyengera, munofanira kudana zvikuru nomoyo wose;
1:23b.1PE.001.023 nokuti makaberekwa kutsva, zvisingabvi pambeu inovora, asi pane isingavori, neshoko raMwari benyu rinogara nokusingaperi.
1:24b.1PE.001.024 Nokuti, Nyama yose yakaita sovuswa, Nokunaka kwose seruva rovuswa, Vuswa bwunosvava, neruva rinowira pasi;
1:25b.1PE.001.025 Asi shoko raShe rinogara nokusingaperi.Ndireri shoko romufaro ramakaparidzirwa.
2
2:1b.1PE.002.001 Naizvozvo rashai zvakaipa zvose, nokunyengera kwose, namano, mano negodo, nokuchera kwose,
2:2b.1PE.002.002 savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka womweya, usina kushatiswa, kuti mukure nawo, mugoponeswa;
2:3b.1PE.002.003 kana makaravira kuti Ishe unomoyo munyoro.
2:4b.1PE.002.004 Vuyai kwaari, iye ibwe benyu, rakarashwa navanhu, asi rakasanangurwa naMwari, rinokosha.
2:5b.1PE.002.005 Nemi vo, samabwe mapenyu, muvakwe muve imba yoMweya, muve vuPirisita vutsvene, kuti mubayire zvibayiro zvoMweya, zvinofadza Mwari nokuda kwaJesu Kristu.
2:6b.1PE.002.006 Nokuti muRugwaro zvirimo, zvinoti: Tarira, ndinoisa muZiyoni ibwe Rekona, rakasanangurwa, Rinokosha; nounotenda kwaari haanganyadziswi.
2:7b.1PE.002.007 Asi kwamuri imi munotenda, unokosha asi kuna vasingateereri, ibwe rakarabwa navavaki, ndiro rakazova musoro wekona.
2:8b.1PE.002.008 vuye Ibwe rokugumbusa, Nedombo rokupinganidza; Ndivo avo vanogumburwa neshoko, nokuti havaritereri; ndizvo zvavakaisirwa vo.
2:9b.1PE.002.009 Asi imi muri rudzi rwakasanangurwa, vuPirisita bwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaakazviwanira, kuti muparidze kunaka kwaiye wakakudanai, kuti mubve parima muvuye kuchiedza chake chinoshamisa.
2:10b.1PE.002.010 Imi kare makanga musi vanhu, asi zvino muri vanhu vaMwari; makanga musinganzwirwi ngoni, asi zvino manzwirwa ngoni. Mufambire wavakristu pakati pavahedheni
2:11b.1PE.002.011 Vadikanwa, ndinokumbira zvikuru kwamuri, zvamuri vatorwa navaeni, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama kunorwa nomweya;
2:12b.1PE.002.012 mufambire wenyu uve wakanaka pakati pavahedheni; kuti pavanokupomerai vachiti munoita zvakaipa, varumbidze Mwari nezuva rokushanyigwa, kana vachivona mabasa enyu akanaka. Tinofanira kuzviisa pasi pavabati venyika
2:13b.1PE.002.013 Muzviise pasi pechirevo chimwe nechimwe chavanhu nokuda kwaShe: kana ari mambo, nokuti ndiye mukuru;
2:14b.1PE.002.014 kana vari vabati, nokuti vakatumwa naye kuti vatsive vanoita zvakaipa, vuye arumbidze vanoita zvakanaka.
2:15b.1PE.002.015 Nokuti ndiko kuda kwaMwari, kuti nokuita kwenyu zvakanaka munyaradze kusaziva kwamapenzi;
2:16b.1PE.002.016 savanhu vakasununguka, musingaiti kusununguka kwenyu kuti chive chifukidzo chezvakaipa, asi muve varanda vaMwari.
2:17b.1PE.002.017 Kudzai vanhu vose. Idai hama dzose. Ityai Mwari. Kudzai mambo. Varanda
2:18b.1PE.002.018 Varanda, tererai vatenzi venyu nokutya kwose, musingazviiti kunavakanaka navanyoro bedzi, asi kuna vasakarurama vo.
2:19b.1PE.002.019 Nokuti ndidzo nyasha kana munhu achitsungirira pakutambudzika nokuda kwehana kuna Mwari. Achitambudzika asinemhosva.
2:20b.1PE.002.020 Nokuti kunerumbidzo yeiko, kana muchitsungirira matadza, mukarobwa? Asi kana mukatsungirira kana muchiita zvakanaka mukatambudzika, izvozvo inyasha kunaMwari.
2:21b.1PE.002.021 Nokuti makadanirwa izvozvo, Kristu zvaakakutambudzikirai vo, akakusiyirai mufananidzo, kuti mutevere makwara ake;
2:22b.1PE.002.022 iye usina kuita zvivi, nokunyengera hakuna kuvonekwa mumuromo make;
2:23b.1PE.002.023 iye wakati achitukwa, haanakutuka zve; wakati achitambudzika, haana kutyisidzira; asi wakaisa mhaka yake kunaiye unotonga zvakarurama;
2:24b.1PE.002.024 iye wakatakura amene zvivi zvedu mumuviri wake pamuti, kuti isu, kana tafa kuzvivi, tiraramire zvakarurama; iye wamakaporeswa namavanga ake.
2:25b.1PE.002.025 Nokuti makanga makatsauka samakwai; asi zvino madzokera kumufudzi nomutariri wemweya yenyu.
3
3:1b.1PE.003.001 Saizvozvo, imi vakadzi, ivai pasi pavarume venyu; kuti kunyange kana vamwe vasingatereri shoko, vadzorwe nomufambire wavakadzi vavo pasineshoko rinorebwa,
3:2b.1PE.003.002 kana vachivona mufambire wenyu, wakachena pamwe chete nokutya Mwari.
3:3b.1PE.003.003 Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwokunze, kwokuruka vhudzi, nokushonga ndarama, kana kupfeka nguvo;
3:4b.1PE.003.004 asi ngakuve munhu wakavanzika womoyo, wakashonga zvisingavori zvomweya munyoro wakanyarara, unokosha, zvikuru pamberi paMwari.
3:5b.1PE.003.005 Nokuti saizvozvo vo kare vakadzi vatsvene, vaivimba naMwari, vakazvishongedza, vachizviisa pasi pavarume vavo,
3:6b.1PE.003.006 saSara waiterera Abhurahamu, achimuidza ishe; mava vana vake zvino, kana muchiita zvakanaka, musingatyiswi nechinhu chipi nechipi chinovhundusa.
3:7b.1PE.003.007 Saizvozvo imi varume, garai navakadzi venyu nokuziva, muchikudza mukadzi muchiti ndiye mudziyo unesimba duku kwamuri, zvavari vadyi venhaka yenyasha yovupenyu pamwe chete nemi; kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa. Rudo nokutsungirira pakutambudzika
3:8b.1PE.003.008 Pakupedzisira, muve nomoyo mumwe mose, munzwirane ngoni, mude hama, muve nomoyo munyoro, muzvininipise;
3:9b.1PE.003.009 musingatsivi zvakaipa nezvakaipa, kana kutuka nokutuka; asi muropafadze, nokuti ndizvo zvamakadanirwa, kuti mugare nhaka yokuropafadzwa.
3:10b.1PE.003.010 Nokuti, Uyo, unoda vupenyu, Nokuvona mazuva akanaka, Ngaadzore rurimi rwake panezvakaipa, Nemiromo yake, kuti irege kutaura zvinonyengera.
3:11b.1PE.003.011 Ngaanzvenge zvakaipa, aite zvakanaka; Ngaatsvake rugare, arutevere
3:12b.1PE.003.012 Nokuti meso aShe ari pamusoro pavakarurama, Nenzeve dzake pakukumbira kwavo. Asi chiso chaShe chiri pamusoro pavanoita zvakaipa.
3:13b.1PE.003.013 Ndianiko uchakuitirai zvakaipa, kana muchishingairira zvakanaka?
3:14b.1PE.003.014 Asi kana muchitambudzika nokuda kwokururama, makaropafadzwa; musatya kutyisa kwavo, vuye musakanganiswa.
3:15b.1PE.003.015 Asi itai Ishe Mwari mutsvene mumoyo menyu ave Ishe; mugare makazvigadzira kupindura mumwe nomumwe unokubvunzai pamusoro petariro iri mukati menyu, asi muchiita novunyoro nokutya;
3:16b.1PE.003.016 ivai nehana yakanaka, kuti pavanokucherai, ivo vanomhura mufambire wenyu wakanaka munaKristu, vanyadziswe.
3:17b.1PE.003.017 Nokuti zvirinani, kana kuri kuda kwaMwari, kuti mutambudzike kana muchiita zvakanaka pakuti kana muchiita zvakaipa.
3:18b.1PE.003.018 Nokuti naKristu wakatambudzika vo kamwe chete pamusoro pezvivi, iye wakarurama nokuda kwavasakarurama, kuti atiise kunaMwari; wakavurawa hake panyama, asi wakararamiswa nomweya;
3:19b.1PE.003.019 mauri wakandoparidzira vo mweya iri pakusungwa,
3:20b.1PE.003.020 yakanga isina kuterera kare, panguva iya moyo murefu waMwari uchimirira kugadzirwa kweareka pamazuva aNoa; mukati mayo vashoma, ivo vanhu vasere, vakaponeswa nemvura.
3:21b.1PE.003.021 Naiwo mufananidzo worubhabhatidzo, runokuponesai zvino, rusingarevi kubviswa kwesvina yenyama, asi kutsvaka hana yakanaka kunaMwari nokumuka kwaJesu Kristu;
3:22b.1PE.003.022 iye uri kurudyi rwaMwari; wakapinda kudenga, vatumwa namadzishe namasimba zvikaiswa pasi pake.
4
4:1b.1PE.004.001 Naizvozvo, Kristu zvaakatamburira isu panyama, nemi vo mushonge murangariro iwoyo; nokuti munhu wakatambudzika panyama warega zvivi;
4:2b.1PE.004.002 kuti panguva yakasara panyama arege kurarama nokuchiva kwavanhu, asi nokuda kwaMwari.
4:3b.1PE.004.003 Nokuti nguva yakapfuvura yakaringana kuita kuda kwavahedheni, nokufamba novutere, nokuchiva, nokumwa waini, nokutamba kwakaipa, namabira, nokunamata zvifananidzo zvisakafanira;
4:4b.1PE.004.004 vanoshamiswa nechinhu ichi, kuti hamufambidzani navo pakusazvidzora kwavo uku kwakawanda, vachikureverai zvakaipa.
4:5b.1PE.004.005 Ivo vachazvidavirira kunaiye wakazvigadzira kutonga vapenyu navakafa.
4:6b.1PE.004.006 Nokuti nokuda kwaizvozvi Evhangeri yakaparidzirwa vakafa, kuti vatongwe havo panyama nomutovo wavanhu, asi vararame nomutovo waMwari pamweya. Chenjerai, nokuti kuguma kwava pedo
4:7b.1PE.004.007 Zvino kuguma kwezvinhu zvose kwava pedo; naizvozvo ivai vakachenjera musvinure kuti munyengetere.
4:8b.1PE.004.008 Zvikuru kunezvose danai norudo rukuru, nokuti rudo runofukidzira zvivi zvizhinji.
4:9b.1PE.004.009 Itiranai rudo pakati penyu kana muri vaeni, musinganyunyuti.
4:10b.1PE.004.010 Mumwe nomumwe sezvaakapiwa chipo chenyasha, shumiranai nacho savatariri vakanaka venyasha zhinji dzaMwari.
4:11b.1PE.004.011 Kana munhu achitaura, ngaataure saanenge ari mashoko aMwari; kana munhu achishumira ngazviitwe nesimba raanopiwa naMwari; kuti Mwari akudzwe pazvose naJesu Kristu, iye unokubwinya nesimba nokusingaperi- peri. Ameni.
4:12b.1PE.004.012 Vadikanwa, musashamiswa nokunyanyisa kwokuidzwa pakati penyu, kwakavuya kukuidzai, muchiti mawirwa nechisingazikanwi;
4:13b.1PE.004.013 asi farai zvamunogovana naKristu pakutambudzika kwake, kuti pakuvonekwa kwokubwinya kwake mufare vo nomufaro mukuru.
4:14b.1PE.004.014 Kana muchizvidzwa nokuda kwezita raKristu, makaropafadzwa, nokuti Mweya wokubwinya waMwari ugere pamusoro penyu; kwavari pakati pavo unotaurirwa zvakaipa asi pakati penyu unokudzwa.
4:15b.1PE.004.015 nokuti kurege kuva nomumwe wenyu uchatambudzika nemhaka yokuti muvurayi, kana mbavha, kana unoita zvakaipa, kana usingaregi zvavamwe;
4:16b.1PE.004.016 asi kana munhu achitambudzika nokuda kwokuti mukristu, ngaarege kunyadziswa; asi ngaakudze Mwari; nezita iri.
4:17b.1PE.004.017 Nokuti nguva yasvika yokuti kutonga kutange paimba yaMwari zvino kana kukatanga kwatiri, kuguma kwavasingatereri Evhangeri yaMwari kuchagoveiko?
4:18b.1PE.004.018 Vuye kana zvichiremera wakarurama kuti aponeswe, ko uyo, usingadi Mwari, nomutadzi, vachagovonekwepi?
4:19b.1PE.004.019 Naizvozvo naivo, vanotambudzika nokuda kwaMwari, ngavaise mweya yavo kuMusiki wakatendeka vachiita zvakanaka.
5
5:1b.1PE.005.001 Naizvozvo ndinoraira vakuru pakati penyu, ini mukuru pamwe chete navo nechapupu chamadambudziko aKristu, nomugovani navo wokubwinya kuchazoratidzwa, ndichiti:
5:2b.1PE.005.002 Fudzai boka raMwari riri pakati penyu, musingazviiti nokurovererwa, asi nomoyo unoda nokuda kwaMwari, musingazviiti nokuda kwokukarira fuma yakaipa;
5:3b.1PE.005.003 musingaiti nesimba nezvamakagoverwa asi muve vatungamiriri veboka.
5:4b.1PE.005.004 Kana Mufudzi mukuru achizovonekwa, muchawana korona yokubwinya isingasvavi.
5:5b.1PE.005.005 Saizvozvo imi vaduku, muzviise pasi pavakuru, nemi mose pfekai kuzvininipisa mumwe kunomumwe, nokuti Mwari unodzivisa vanozvikudza, asi unopa nyasha vanozvininipisa.
5:6b.1PE.005.006 Naizvozvo zvininipisei pasi poruvoko runesimba rwaMwari, kuti akukudzei nenguva yakafanira;
5:7b.1PE.005.007 kandirai pamusoro pake kufunganya kwenyu kwose, nokuti iye unokuchengetai.
5:8b.1PE.005.008 Svinurai, murinde; nokuti muvengi wenyu Dhiabhorosi, unofamba-famba seshumba inorira, ichitsvaka waingaparadza.
5:9b.1PE.005.009 Mumudzivisei, makamira nesimba pakutenda, muchiziva kuti kutambudzika ikoko kunoitirwa hama dzose dziri panyika.
5:10b.1PE.005.010 Zvino Mwari wenyasha dzose, iye wakakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi munaJesu Kristu, kana mambotambudzika kanguva kaduku, uchakukwanisai, nokukumisai, nokukusimbisai, nokukuteyai.
5:11b.1PE.005.011 Kwaari ngakuve kubwinya nesimba nokusingaperi-peri. Ameni. Kuwonekana
5:12b.1PE.005.012 Ndakakunyorerai mashoko mashomanene naSirivhano, hama yakatendeka pakufunga kwangu, ndichiraira, nokupupura kuti idzi ndidzo nyasha dzazvokwadi dzaMwari; mirai madziri.
5:13b.1PE.005.013 Kereke iri muBhabhironi, yakasanangurwa pamwe chete nemi, naMarko, mwanakomana wangu, vanokukwazisai.
5:14b.1PE.005.014 Kwazisanai nokusveta kworudo. Rugare ngaruve nemi mose muri munaKristu.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. 1 Peter (Shona). 1 Peter (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C608-0