Hebrews (Shona)

Hebrews (Shona)

1

1:1b.HEB.001.001 Mwari wakataura kare kunamadzibaba muvaporofita nemigove mizhinji, vuye nemitovo mizhinji,

1:2b.HEB.001.002 zvino pakupedzisira kwamazuva ano wakataura kwatiri muMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, waakaita vo naye nyika;

1:3b.HEB.001.003 iye chadzera chokubwinya kwake, nomufananidzo wake chaiye, unotakura zvinhu zvose neshoko resimba rake, wakati anatsa zvivi zvedu iye pachake, akagara kurudyi rwoVumambo kudenga,

1:4b.HEB.001.004 akapfuvura vatumwa nokunaka saizvozvo, sezita raakagara nhaka yaro,

1:5b.HEB.001.005 Nokuti wakambotaura kunani wavatumwa, achiti: Ndiwe Mwanakomana wangu, Nhasi ndakubereka? Vuye zve: Ndichava Baba vake, Iye uchava Mwanakomana wangu?

1:6b.HEB.001.006 Vuye, kana achizovuyisa zve dangwe rake panyika, unoti: Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate.

1:7b.HEB.001.007 Napamusoro pavatumwa unoti: Iye unoita vatumwa vake kuti vave Mhepo, Navaranda vake, kuti vave murazvo womoto;

1:8b.HEB.001.008 Asi pamusoro poMwanakomana, unoti: Chigaro chenyu chovushe, imi Mwari, chiripo nokusingaperi-peri, Netsvimbo yokururama ndiyo tsvimbo Yovushe bwako.

1:9b.HEB.001.009 Makada kururama, mukavenga kusarurama; Saka Mwari, iye Mwari wenyu, wakakuzodzai Namafuta okufara kupfuvura shamwari dzenyu.

1:10b.HEB.001.010 Vuye, Imi, Ishe, makateya nheyo dzenyika pakutanga, Nedenga ndiro basa ramavoko enyu;

1:11b.HEB.001.011 Iro richapera, asi imi mucharamba muripo;Richasakara rose senguvo;

1:12b.HEB.001.012 Mucharipeta sechinofukwa, Senguvo, rikashandurwa; Asi imi makangodaro, namakore enyu haangagumi.

1:13b.HEB.001.013 Asi wakambotaura kunani wavatumwa, achiti: Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndichiita vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako?

1:14b.HEB.001.014 Ko havazi vose mweya inoshumira, yakatumwa, kuzobata nokuda kwavanodya nhaka yokuponeswa here?

2

2:1b.HEB.002.001 Saka tinofanira kuterera zvikuru izvo zvatakanzwa, kuti tirege kukukurwa.

2:2b.HEB.002.002 Nokuti kana shoko, rakanga rataurwa navatumwa, rakanga rakasimba, vuye kana kudarika nokusaterera kwose kwakapiwa mubairo wakarurama,

2:3b.HEB.002.003 ko isu tichapukunyuka sei, kana tisinehanya nokuponeswa kukuru kwakadai? Uku kwakaparidzwa pakutanga naShe, kukasimbiswa kwatiri naivo vakanzwa;

2:4b.HEB.002.004 naiye Mwari vo achipupurirana navo nezviratidzo nezvinoshamisa, namabasa esimba mazhinji, nezvipo zvoMweya Mutsvene, nokuda kwake. Kristu wakaitwa munhu kuti asunungure vanhu pazvivi zvavo

2:5b.HEB.002.005 Nokuti nyika, inozovuya, yatinoreva, haana kuiisa pasi pavatumwa.

2:6b.HEB.002.006 Asi mumwe wakapupura kwazvo paneimwe nzvimbo, achiti: Ko munhu chinyiko, zvamunomufunga? Kana mwanakomana womunhu, zvamunomushanyira?

2:7b.HEB.002.007 Makamuita muduku zvishoma kuvatumwa, Makamushongedza korona nokubwinya nokukudzwa, mukamubatisa vushe hwamabasa amavoko enyu.

2:8b.HEB.002.008 Mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Nokuti pakuisa kwake zvinhu zvose pasi pake, haana kusiya chinhu chimwe, chisina kuiswa pasi pake. Asi zvino tigere kuvona kuti zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake.

2:9b.HEB.002.009 Asi tinomuvona, iye Jesu, wakaitwa muduku zvishoma kuvatumwa, nokuda kokutambudzika kworufu, wakashongedzwa korona yokubwinya nokukudzwa,kuti nokuda kwenyasha dzaMwari aravire rufu achiitira munhu wose.

2:10b.HEB.002.010 Nokuti zvakanga zvakafanira kuti iye, wakaitirwa zvinhu zvose, vuye wakaita zvinhu zvose, pakuisa kwake vanakomana vazhinji pakubwinya, akwanise Mutungamiriri wokuponeswa kwavo nenzira yokutambudzika.

2:11b.HEB.002.011 Nokuti uyo, unovaita vatsvene, naivo vanoitwa vatsvene, vose vakabva kunomumwe; nemhaka iyi haanenyadzi kuvaidza hama,

2:12b.HEB.002.012 Zvaanoti: Ndichaparidzira hama dzangu zita renyu, Ndichakuimbirai pakati pekereke.

2:13b.HEB.002.013 Vuye zve: Ndichavimba naye. Vuye zve: Tarirai, ini navana vandakapiwa naMwari.

2:14b.HEB.002.014 Naizvozvo, vana zvavakagoverwa ropa nenyama, naiye vo wakagovana navo panaizvozvi; kuti nokufa kwake iye aparadze uyo unesimba rorufu, iye Dhiabhorosi;

2:15b.HEB.002.015 agosunungura avo vaiva varanda pavupenyu bwavo bwose nokuda kwokutya rufu.

2:16b.HEB.002.016 Nokuti zvirokwazvo, haana kutora chimiro chavatumwa, asi wakazvitorera vana vaAbhurahamu.

2:17b.HEB.002.017 Naizvozvo wakafanira kuti aenzaniswe nehama dzake pazvinhu zvose, kuti ave muPirisita mukuru unengoni, wakatendeka pazvinhu zvaMwari, kuti adzikinure zvivi zvavanhu.

2:18b.HEB.002.018 Nokuti zvaakatambudzika iye amene pakuidzwa kwake, unogona kubatsira vanoidzwa.

3

3:1b.HEB.003.001 Naizvozvo, hama tsvene, vagoverani neni pakudanwa kunobva kudenga, fungai zvakanaka Muapostora noMuPirisita mukuru wokupupura kwedu, iye Jesu Kristu,

3:2b.HEB.003.002 wakanga akatendeka kunaiye wakamugadza, saMosesi vo muimba yake yose.

3:3b.HEB.003.003 Nokuti uyu wakanzi wakafanira kukudzwa kupfuvura Mosesi, muvaki weimba sezvaanokudzwa kupfuvura imba;

3:4b.HEB.003.004 nokuti imba imwe neimwe inovakwa nomunhu, asi iye, wakavaka zvose, ndiye Mwari.

3:5b.HEB.003.005 Zvino Mosesi wakanga akatendeka muimba yake yose somuranda, kuti ave chapupu chezvinhu zvinofanira kuzotaurwa,

3:6b.HEB.003.006 asi Kristu soMwanakomana, wakaiswa pamusoro peimba yake; iye, tiri imba yake isu, kana tikabatisisa kusvika pakuguma kusatya kwedu netariro yatinozvirumbidza pamusoro payo.

3:7b.HEB.003.007 Naizvozvo, sezvinotaura Mweya Mutsvene, achiti: Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake,

3:8b.HEB.003.008 Musawomese moyo yenyu, sapanguva yokutsamwiswa, nezuva rokuidzwa murenje

3:9b.HEB.003.009 Pandakaidzwa namadzibaba enyu, vachindinetsa, Vakavona mabasa angu makore Anamakumi mana.

3:10b.HEB.003.010 Naizvozvo ndakanzwa shungu pamusoro porudzi urwu, Ndikati: Vanogara vachitsauka Pamoyo yavo; Asi havana kuziva nzira dzangu;

3:11b.HEB.003.011 Naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati: Havangapindi pazororo rangu. Vanotenda voga ndivo vanopinda pazororo.

3:12b.HEB.003.012 Hama dzangu, chenjerai kuti mukati momumwe wenyu murege kuva nomoyo wakashata usingatendi, mutsauke muchibva kunaMwari mupenyu,

3:13b.HEB.003.013 asi simbisanai zuva rimwe nerimwe, kana kuchinzi Nhasi; kuti kurege kuva nomumwe wenyu unowomeswa nokunyengera kwezvivi.

3:14b.HEB.003.014 Nokuti tava vagoverani pamwe chete naKristu, kana tichibatisisa kuvamba kwokutenda kwedu kusvikira pakuguma;

3:15b.HEB.003.015 zvichinzi: Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, Musawomesa moyo yenyu, sapanguva yokutsamwisa.

3:16b.HEB.003.016 Nokuti ndivanani vakanzwa, vakamutsamwisa? Havazi ivo vose vakabva Ijipiti naMosesi here?

3:17b.HEB.003.017 Wakanzwa shungu makore anamakumi mana pamusoro pavanani? Havazi ivo vakatadza, mitumbu yavo ikawira murenje here?

3:18b.HEB.003.018 Wakapika pamusoro pavanani kuti havangapindi pazororo rake? Havazi ivo vasina kutenda here?

3:19b.HEB.003.019 Zvino tinovona kuti vakanga vasingagoni kupinda nokusatenda kwavo.

4

4:1b.HEB.004.001 Naizvozvo, chipikirwa chokupinda muzororo rake zvachichipo, tinofanira kutya kuti zvimwe kurege kuva nomumwe wenyu uchawanikwa asingafaniri kupindamo.

4:2b.HEB.004.002 Nokuti nesu vo takaparidzirwa Evhangeri, saivo; asi shoko ravakanzwa, harina kuvabatsira, nokuti harina kuvhenganiswa nokutenda kwaivo vakanzwa.

4:3b.HEB.004.003 Nokuti isu vakatenda, tinopinda pazororo irero, sezvaakareva, achiti: Naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati: Havangapindi muzororo rangu; kunyange mabasa ake akanga akwaniswa kubva pakuvambwa kwenyika.

4:4b.HEB.004.004 Nokuti paneimwe nzvimbo wakataura pamusoro pezuva rechinomwe, achiti: Mwari wakazorora nezuva rechinomwe pamabasa ake ose;

4:5b.HEB.004.005 napano zve: Havangapindi muzororo rangu.

4:6b.HEB.004.006 Naizvozvo, shoko zvarichipo kuti vamwe vachapinda pariri, vuye kuti avo vakaparidzirwa Evhangeri kare havana kupinda nokusaterera kwavo,

4:7b.HEB.004.007 unotara zve rimwe zuva, achiti muna Dhavhidhi, Nhasi nguva huru yakadai yapfuvura, sezvakwakambotaurwa kare, zvichinzi, Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, musawomesa moyo yenyu.

4:8b.HEB.004.008 Nokuti dai Joshua akanga avapa zororo, haazaizoreva rimwe zuva pashure.

4:9b.HEB.004.009 Zvino zororo resabata ravanhu vaMwari richipo.

4:10b.HEB.004.010 Nokuti uyo wakapinda muzororo rake, wakazorora iye amene pamabasa ake, saMwari panaake.

4:11b.HEB.004.011 Naizvozvo ngatishingaire kuti tipinde muzororo irero, kuti munhu arege kuvapo unozowa achitevera nzira iyo yokusaterera.

4:12b.HEB.004.012 Nokuti shoko raMwari ibenyu, rinesimba, rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kusvikira panoparadzana moyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomoyo.

4:13b.HEB.004.013 Hakune chisikwa chisingavonekwi naye, asi zvinhu zvose zvakafukurwa nokuzarurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari. Kristu mukuru kuvaPirisita vakuru vakare

4:14b.HEB.004.014 Naizvozvo, zvatinomuPirisita mukuru kwazvo, wakapinda napakati pokudenga, iye Jesu, Mwanakomana waMwari, ngatibatisise kupupura kwedu.

4:15b.HEB.004.015 Nokuti hatinomuPirisita mukuru usingagoni kutinzwira tsitsi pavutera bwedu, asi wakaidzwa pazvinhu zvose sesu, asinezvivi.

4:16b.HEB.004.016 Naizvozvo, ngatiswederei tisingatyi kuchigaro chovushe chenyasha, kuti tinzwirwe ngoni, tiwane nyasha, tibatsirwe nenguva yakafanira.

5

5:1b.HEB.005.001 Nokuti muPirisita mukuru mumwe nomumwe, wakatorwa kuvanhu, unogadzwa nokuda kwavanhu pazvinhu zvaMwari, kuti abayire zvipo nezvibayiro pamusoro pezvivi;

5:2b.HEB.005.002 iye unogona kunzwira tsitsi avo vasingazivi navakatsauka, nokuti naiye vo amene wakakomberedzwa novutera.

5:3b.HEB.005.003 Nemhaka iyo iye amene unofanira kuzvibayira pamusoro pezvivi zvake, sezvaanobayira zvavanhu.

5:4b.HEB.005.004 Hakuna munhu ungazvitorera basa iri rinokudzwa, asi kana achidanwa naMwari saiye Aroni.

5:5b.HEB.005.005 Saizvozvo vo Kristu haana kuzvikudza iye, achiitwa muPirisita mukuru, asi wakakudzwa naiye, wakati kwaari; Ndiwe Mwanakomana wangu, Nhasi ndakubereka;

5:6b.HEB.005.006 Sezvaanorevavo paneimwe nzvimbo, achiti: Ndiwe MuPirisita nokusingaperi wegwara reimba yaMerkizedheki.

5:7b.HEB.005.007 Iye, pamazuva enyama yake, wakavuya kunaiye wakanga achigona kumurwira parufu, neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, akanzwika nokuda kwokutya kwake Mwari;

5:8b.HEB.005.008 kunyange aiva Mwanakomana, wakadzidza kuterera nezvaakatambudzika;

5:9b.HEB.005.009 akati akwaniswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kunavose vanomuterera;

5:10b.HEB.005.010 akanzi naMwari MuPirisita mukuru wegwara reimba yaMekizedheki. Vatendi vanofanira kupfuvurira mberi pakutenda

5:11b.HEB.005.011 Tinamashoko mazhinji atingataura pamusoro pake, anorema kududzira, zvamava vanhu vasichagoni kunzwisisa kwazvo.

5:12b.HEB.005.012 Nokuti, kunyange maifanira kuva vadzidzisi zvino, kana tichitarira nguva, mofanirazve kuti muve nomumwe unokudzidzisai zvidzidzo zvokutanga zvokuvamba kwezvirevo zvaMwari; mava vanhu vanofanira kupiwazve mukaka, vasingapiwi zvokudya zvikukutu.

5:13b.HEB.005.013 Nokuti mumwe nomumwe unodya mukaka haanzwisisi shoko rokururama, nokuti mucheche hake.

5:14b.HEB.005.014 Asi zvokudya zvikukutu ndezvavakuru, vanokuziva kwakadzidziswa, nenzira yokurovedzwa, kuzivisisa zvakanaka nezvakaipa.

6

6:1b.HEB.006.001 Naizvozvo ngatisiye shoko rokutanga kwaKristu, tipfuvurire mberi pakukwaniswa, tisingaisi zve nheyo dzokutendevuka pamabasa akafa, nedzokutenda kunaMwari,

6:2b.HEB.006.002 nedzedzidziso dzebhabhatidzo, nedzokuisa mavoko, nedzokumuka kwavakafa, nedzokutongwa kusingaperi.

6:3b.HEB.006.003 Ndizvo zvatichaita, kana Mwari achitendera.

6:4b.HEB.006.004 Nokuti kana vari ivo, vakambovhenekerwa, vakaravira chipo chokudenga, vakagoverwa Mweya Mutsvene,

6:5b.HEB.006.005 vakaravira shoko rakanaka raMwari, namasimba enyika inovuya,

6:6b.HEB.006.006 kana vakazotsauka, hazvibviri kuvavandudza zve kuti vatendevuke, nokuti vanozvirovererazve Mwanakomana waMwari pamuchinjikwa, vachimunyadzisa pachena.

6:7b.HEB.006.007 Nokuti nyika iyo, inoti kana yanwa mvura inosinaya pamsoro payo kazhinji, ikabereka mirivo yakafaniravo avo vanoirima, ndiyo inoropafadzwa naMwari;

6:8b.HEB.006.008 asi kana ikabereka minzwa norukato, inorashwa, yobva yotukwa; kuguma kwayo ndiko kupiswa.

6:9b.HEB.006.009 Asi vadikanwa, kunyange tichitaura kudai, tinoziva kwazvo pamusoro penyu zvinhu zvinopfuvura nokunaka, zvinoisa kukuponeswa.

6:10b.HEB.006.010 Nokuti Mwari haazati ari usakarurama, ungakanganwa basa renyu rorudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake, zvamakashumira vatsvene, muchivashumira nazvino.

6:11b.HEB.006.011 Zvino tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ashingaire saizvozvo, kuti muve netariro yakakwana kusvikira pakuguma.

6:12b.HEB.006.012 Kuti murege kuva novusimbe, asi muve vateveri vaivo vanodya nhaka yezvipikirwa nenzira yokutenda nokutsungirira.

6:13b.HEB.006.013 Nokuti Mwari pakupikira Abhurahamu, wakapika naiye amene, nokuti wakanga asinomukuru kwaari waangapika naye,

6:14b.HEB.006.014 akati: Zvirokwazvo nokuropafadza ndichakuropafadza, nokuwanza ndichakuwanza.

6:15b.HEB.006.015 Nokudaro, wakati atsungirira, akawana chipikirwa.

6:16b.HEB.006.016 Nokuti vanhu vanopika nomukuru kwavari; nemhiko inosimbisa ndiyo inogumisa gakava rose pakati pavo.

6:17b.HEB.006.017 Saizvozvo Mwari wakati achida zvikuru kuratidza vadyi venhaka yechipikirwa, kuti chirevo chake hachishandurwi, wakapinda pakati nokupika;

6:18b.HEB.006.018 kuti nezvinhu zviviri zvisingashandurwi, (nokuti pazviri Mwari haagoni kureva nhema), tive nesimbiso yakabata, iyesu, takatizira kutariro yakaiswa pamberi pedu, kuti tibate;

6:19b.HEB.006.019 yatinayo sechibatiso choMweya, tariro isingazununguswi, yakasimba, inopinda kunezviri mukati mechidzitiro chetembere;

6:20b.HEB.006.020 pakapinda mutungamiriri nokuda kwedu, iye Jesu wakaitwa muPirisita mukuru nokusingaperi,wegwara reimba yaMekizedheki.

7

7:1b.HEB.007.001 Nokuti Mekizedheki uyo, mambo weSaremi, muPirisita waMwari Wokumusoro-soro, wakasongana naAbhurahamu pakudzoka kwake andovuraya madzimambo, akamuropafadza;

7:2b.HEB.007.002 Abhurahamu akamupa vo chegumi chezvose; iye pakutanga ari mambo wokururama, kana zvichishandurwa, vuye zve, mambo weSaremi, ndokuti, mambo werugare;

7:3b.HEB.007.003 asinababa, asinamai, asinamadzisekuru, asina kutanga kwamazuva, kana kuguma kwovupenyu, asi wakafananidzwa noMwanakomana waMwari, unogara ari muPirisita nokusingaperi.

7:4b.HEB.007.004 Zvino fungai kukura kwomunhu uyu, wakapiwa nateteguru Abhurahamu chegumi chezvaakapamba.

7:5b.HEB.007.005 Zvino avo, vari vanakomana vaRevhi, vanopiwa basa rovuPirisita, vakarairwa nomurairo kuti vatore chegumi kuvanhu, iko kuhama dzavo, kunyange vakabva muchivuno chaAbhurahamu,

7:6b.HEB.007.006 asi uyu, asina kuravirwa rudzi rwake kwavari, wakapiwa zvegumi naAbhurahamu akamuropafadza iye wakanga anezvipikirwa.

7:7b.HEB.007.007 Zvino hatingarambi kuti muduku ndiye unoropafadzwa nounopfuvura nokunaka.

7:8b.HEB.007.008 Vuye pano, vanhu, vanofa, vanopiwa zvegumi; asi apo uyo unopiwa, unopupurirwa zvichinzi mupenyu.

7:9b.HEB.007.009 Zvino tingati naRevhi, unopiwa zvegumi, iye vo wakapa zvegumi munaAbhurahamu;

7:10b.HEB.007.010 nokuti wakanga achiri muchivuno chababa vake, pakusongana kwaMekizedheki naye.

7:11b.HEB.007.011 Naizvozvo, kana kukwaniswa kwaivapo nenzira yovuPirisita bwaRevhi (nokuti vanhu vakapiwa murairo nokuda kwabwo), ko mumwe muPirisita waifanira kuzomuka seiko unorudzi naMekizedheki, asinganzi unorudzi naAroni?

7:12b.HEB.007.012 Nokuti kana vuPirisita bwuchishandurwa, nomurairo unofanira kuti ushandurwe vo.

7:13b.HEB.007.013 Nokuti uyo unorebwa zvinhu izvi pamusoro pake, wakanga ari worumwe rudzi, rwakanga rusino munhu wakambobate-basa paaritari.

7:14b.HEB.007.014 Nokuti zvinovonekwa pachena, kuti Ishe wedu wakabva kunaJudha; pamusoro porudzi urwu Mosesi haana kureva zvavaPirisita.

7:15b.HEB.007.015 Izvi zvinoratidzwavo kwazvo, kana kuchimuka mumwe muPirisita wakafanana naMekizedheki,

7:16b.HEB.007.016 usina kuitwa muPirisita nomurairo wokuraira kwenyama, asi nesimba rovupenyu bwusingapedzwi.

7:17b.HEB.007.017 Nokuti iye unopupurirwa, zvichinzi: Iwe uri muPirisita nokusingaperi, Unorudzi naMekizedheki.

7:18b.HEB.007.018 Nokuti murau wokutanga unokoneswa nokuda kwovutera bwawo, vuye nokuti haunamaturo,

7:19b.HEB.007.019 (nokuti murairo hauna kukwanisa chinhu), zvino tariro, inopfuvura nokunaka, ikaiswapo, yatinoswedera nayo kuna Mwari.

7:20b.HEB.007.020 Vuye zve, zvaasina kuitwa muPirisita kusinemhiko;

7:21b.HEB.007.021 (nokuti ivo vakaitwa vaPirisita kusinemhiko, asi iye nokupika kwaiye, wakati kwaari: Ishe wakapika, haangazvidyi moyo Zve, achiti: Iwe uri muPirisita nokusingaperi wegwara reimba yaMekizedheki);

7:22b.HEB.007.022 Saizvozvo Jesu wakaitwa rubatso rwesungano inopfuvura nokunaka.

7:23b.HEB.007.023 Ivo vaiva vaPirisita vazhinji, nokuti vakadziviswa norufu kugara nokusingaperi,

7:24b.HEB.007.024 Asi iye zvaanogara nokusingaperi unovuPirisita bwusingapfuvudzwi.

7:25b.HEB.007.025 Naizvozvo unesimba rokuponesa kwazvo-kwazvo avo vanovuya kunaMwari naye, zvaanorarama nokusingaperi kuti avareverere.

7:26b.HEB.007.026 Nokuti muPirisita mukuru wakadai ndiye wataifanira kuva naye mutsvene, usinechakaipa, usina kusvibiswa, wakaparadzaniswa navatadzi, wakakwidzwa kumusoro kwedenga;

7:27b.HEB.007.027 usingafaniri, savaya vaPirisita vakuru, kubayira zuva rimwe nerimwe, pakutanga pamusoro pezvivi zvake, pashure pamusoro pezvivi zvavanhu; nokuti wakaita izvozvi kamwe chete, zvikapera, pakuzviita kwake chibayiro.

7:28b.HEB.007.028 Nokuti murairo unogadza vanhu vanovutera, kuti vave vaPirisita vakuru; asi shoko rokupika, rakatevera murairo, rinogadza Mwanakomana, wakakwaniswa nokusingaperi.

8

8:1b.HEB.008.001 Zvino, shoko guru panaizvozvo zvatataura, ndiro kuti: TinomuPirisita mukuru wakadai wakagara kurudyi rwechigaro chovushe chovumambo kudenga;

8:2b.HEB.008.002 iye mushumiri wezvinhu zvitsvene, nowetabhernakeri chaiyo, yakamiswa naShe, isina kumiswa nomunhu.

8:3b.HEB.008.003 Nokuti muPirisita mukuru mumwe nomumwe wakagadzwa, kuti abayire Mwari zvipo nezvibayiro; naizvozvo naiye waifanira kuti ave nechaangabayira vo;

8:4b.HEB.008.004 nokuti dai aiva panyika, ungadai asina kuva muPirisita, nokuti vaparista varipo, vanobayira Mwari zvipo sezvinorebwa nomurairo;

8:5b.HEB.008.005 ivo vanoshumira mufananidzo nomumvuri wezvokudenga, sezvaakarairwa iye Mosesi oda kuita tabhernakeri;nokuti wakati: Tarira, uite zvose nomufananidzo, wawakaratidzwa mugomo.

8:6b.HEB.008.006 Asi zvino wakapiwa basa rakanyanya kunaka, sezvaari Murevereri wesungano inopfuvura nokunaka, yakasimbiswa nezvipikirwa zvinopfuvura nokunaka.

8:7b.HEB.008.007 Nokuti dai iya yokutanga yakanga isina chaingapomerwa, yechipiri ingadai isina kutsvakirwa nzvimbo.

8:8b.HEB.008.008 Nokuti unovapa mhosva, achiti: Tarirai, mazuva anovuya, ndizvo zvinotaura Ishe Andichaita nawo sungano itsva neImba yaIsraeri, vuye neimba yaJudha.

8:9b.HEB.008.009 Isina kuita sesungano yandakaita Namadzibaba avo, Pazuva randakabata ruvoko rwavo, kuti ndivabudise munyika yeIjipiti;Nokuti havana kurambira musungano yangu, Neni ndikasava nehanya navo, ndizvo zvinotaura Ishe;

8:10b.HEB.008.010 Nokuti ndiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri Kana mazuva iwayo apfuvura, ndizvo zvinotaura Ishe; Ndichaisa mirairo yangu pakufunga kwavo,Ivo vachava vanhu vangu;

8:11b.HEB.008.011 Mumwe nomumwe haangazodzidzisi wokwake, Kana mumwe nomumwe hama yake, achiti: Ziva Ishe; Nokuti vose vachandiziva, Kubva kumuduku kusvikira kumukuru pakati pavo.

8:12b.HEB.008.012 Nokuti ndichava nengoni nokusarurama kwavo, Nezvivi zvavo nokuipa kwavo handichazozvirangariri.

8:13b.HEB.008.013 Zvaanoti: Sungano itsva, yakasakadza yokutanga; zvino chinhu chosakara, chova chakare, choda kurova.

9

9:1b.HEB.009.001 Zvino, neyiyi sungano yokutanga yakanga inemirairo yokushumira Mwari nayo, neimba tsvene yenyika.

9:2b.HEB.009.002 Nokuti tabhernakeri, yaiva yokutanga, yakagadzirwa, makanga munechigadziko chemwenje, netafura, nezvingwa zvokuratidza; ndipo panonzi Patsvene.

9:3b.HEB.009.003 Zvino mberi kwechidzitiro chechipiri pakanga panetabhernakeri yainzi Patsvene-tsvene;

9:4b.HEB.009.004 pakanga panendiro yendarama yezvinonhuwira, neareka yesungano, yakanga yakanamwa nhivi dzose nendarama, imomo makanga munehari yendarama, yakanga inemana, netsimbo yaAroni, yakadeya kutunga, namahwendefa esungano;

9:5b.HEB.009.005 pamusoro payo pakanga panamakerubhi okubwinya, akadzikatira chifunhiro chengoni; hatigoni kurondedzera izvozvo tichiita chimwe-chimwe zvino.

9:6b.HEB.009.006 Zvinhu izvi zvakati zvagadzirwa saizvozvo, vaparista vaipinda mutabernakeri yokutanga nguva dzose, vachibata mabasa okushumira Mwari;

9:7b.HEB.009.007 asi muneyechipiri muPirisita mukuru waipinda ari oga, kamwe chete negore, asingapindi asineropa, raaizvibayirira iye nezvivi zvavanhu;

9:8b.HEB.009.008 Mweya Mutsvene achiratidza chinhu ichi, kuti nzira inoenda kuNzvimbo Tsvene yakanga isati yataridzwa, tabernakeri yokutanga ichimire;

9:9b.HEB.009.009 wakanga uri mufananidzo wenguva inoyavanobayira nayo zvipo nezvibayiro, zvisingagoni kukwanisa pahana yake iye unoshumira;

9:10b.HEB.009.010 nokuti yaingova mirairo yenyama, yezvokudya, nezvokunwa, nokushamba kuzhinji, yavakatemerwa kusvikira panguva yokuvandudzwa.

9:11b.HEB.009.011 Asi Kristu wakati asvika ari muPirisita mukuru wezvinhu zvakanaka zvinozovuya, akapinda napatabhernakeri yakapfuvura pakukura napakukwana, isina kuitwa namavoko, ndiko kuti isati iri yokusikwa kuno,

9:12b.HEB.009.012 haana kupinda neropa rembudzi kana remhuru, asi neropa rake chairo, kamwe , zvikapera, panzvimbo tsvene, akatiwanira rudzikinuro rusingaperi.

9:13b.HEB.009.013 Nokuti kana ropa rembudzi nerenzombe namadota etsiru, kana zvichisaswa pamusoro pavakasvibiswa, zvichivaita vatsvene, kuti vanatswe panyama,

9:14b.HEB.009.014 zvikuru sei ropa raKrsitu, iye wakazviita noMweya usingaperi chibayiro kunaMwari, chisina chachingapomerwa, richanatsa hana dzedu pamabasa akafa, kuti tishumire Mwari mupenyu.

9:15b.HEB.009.015 Nemhaka iyo, iye ndiMurevereri wesungano itsva, kuti, rufu zvarwakasvika kuzodzikinura avo vakadarika pasungano yokutanga, vakadanwa vagopiwa chipikirwa chenhaka isingaperi.

9:16b.HEB.009.016 Nokuti apo pane testamente, panofanira kuvapo vo rufu rwaiye wakaiita.

9:17b.HEB.009.017 Nokuti testamente inesimba kana vanhu vafa; nokuti haitongovi nesimba kana wakaiita achiri mupenyu.

9:18b.HEB.009.018 Naizvozvo nesungano yokutanga haina kuvambwa pasine ropa.

9:19b.HEB.009.019 Nokuti zvirevo zvose zvakati zvataurwa kuvanhu vose naMosesi sezvakareva murairo, iye akatora ropa remhuru nerembudzi, pamwe chete nemvura namakushe matsuku, nehisopi, akasasa bhuku imene navanhu vose,

9:20b.HEB.009.020 achiti: Iri iropa resungano, yamakarairwa naMwari.

9:21b.HEB.009.021 Vuye zve, wakasasa saizvozvo neropa tabhernakeri nemidziyo yose yokushumira nayo.

9:22b.HEB.009.022 Zvirokwazvo tingati pamurairo zvinhu zvinenge zvose zvinonatswa neropa; vuye kana kusineropa rinotevurwa, hakunekanganwiro.

9:23b.HEB.009.023 Naizvozvo mifananidzo yezviri kudenga yaifanira kuti inatswe nezvibayiro izvi; asi zvinhu zvokudenga zvimene kuti zvinatswe nezvibayiro zvinopfuvura izvi nokunaka.

9:24b.HEB.009.024 Nokuti Kristu haana kupinda panzvimbo tsvene yakaitwa namavoko, inofananidza iyo iri chaiyo, asi wakapinda kudenga kumene, kuti zvino azviise pamberi paMwari nokuda kwedu;

9:25b.HEB.009.025 vuye haana kupinda kuti azviite chibayiro kazhinji, somuPirisita mukuru unopinda panzvimbo tsvene gore rimwe nerimwe, akabata ropa rezvimwe zvinhu;

9:26b.HEB.009.026 nokuti dai zvakanga zvakadaro, ungadai aitambura kazhinji kubva pakuvambwa kwenyika; asi zvino wakavonekwa kamwe chete pakupedzisira kwenguva, kuti aparadze zvivi, nokuzviita chibairo kwake.

9:27b.HEB.009.027 Vuye vanhu zvavakatemerwa kuti vafe kamwe chete, kutongeswa kugotevera,

9:28b.HEB.009.028 saizvozvo Kristu, wakaitwa chibayiro kamwe chete, kuti atakure zvivi zvavanhu vazhinji, uchazovonekwa rwechipiri, asingatakuri zvivi, naivo vanomutarira kuti avaponese.

10

10:1b.HEB.010.001 Nokuti murairo zvaunomumvuri wezvinhu zvakanaka zvino vuya usati uri mufananidzo chaiwo wezvinhu izvozvo, haungatongogoni kukwanisa avo vanoswedera gore rimwe nerimwe naizvozvo zvibayiro zvavanoramba vachibayira Mwari.

10:2b.HEB.010.002 dai zvakanga zvakadaro, zvingadai zvisina kupera kubayirwa here? Nokuti vanonamata, kana vakanga vanatswa kamwe chete, vangadai vasina kuzoyevudzwa zvivi zvavo.

10:3b.HEB.010.003 Asi nezvibayiro izvozvo vanoyevudzirwa zvivi gore rimwe nerimwe.

10:4b.HEB.010.004 Nokuti ropa renzombe nerembudzi haritongogoni kubvisa zvivi.

10:5b.HEB.010.005 saka pakusvika kwake panyika, unoti: Chibayiro nechipo makazviramba, Asi makandigadzirira muviri;

10:6b.HEB.010.006 hamuna kuda zvibayiro zvinopiswa, nezvibayiro zvezvivi;

10:7b.HEB.010.007 Zvino ndikati: Tarirai, ndavuya, (Murugwaro makanyorwa pamsoro pangu) Kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.

10:8b.HEB.010.008 Zvaanoti pakutanga: Zvibayiro nezvipo, nezvibayiro zvinopiswa, nezvibayiro zvezvivi hamuna kuzvida, hamuna kufadzwa nazvo) zviri izvo zvinobayirwa Mwari sezvinoreva murairo),

10:9b.HEB.010.009 Ndokuzoti: Tarirai, ndinovuya kuzoita kuda kwenyu imi Mwari. Unobvisa chokutanga kuti amise chechipiri.

10:10b.HEB.010.010 Nokuda ikoku takaitwa vatsvene nechibayiro chomuviri waJesu Kristu, chakabayirwa kamwe .

10:11b.HEB.010.011 MuPirisita mumwe nomumwe unomira zuva rimwe nerimwe achishumira, nokubayira kazhinji zvibayiro izvozvo zvisingagoni kubvisa zvivi;

10:12b.HEB.010.012 asi murume uyu wakati abayira chibayiro kamwe chete pamusoro pezvivi, akagara nokusingaperi kurudyi rwaMwari;

10:13b.HEB.010.013 kubva zvino achimirira kusvikira vavengi vake vaitwa chitsiko chetsoka dzake.

10:14b.HEB.010.014 Nokuti nechibayiro chimwe chete wakakwanisa nokusingaperi avo vanoitwa vatsvene.

10:15b.HEB.010.015 NoMweya Mutsvene unotipupurira vo; nokuti wakatanga, achiti:

10:16b.HEB.010.016 Iyi ndiyo sungano yandichaita navo Shure kwamazuva iwayo, ndizo zvinotaura Ishe; Ndichaisa mirairo yangu pamoyo yavo, Nokuinyora pakufunga kwavo; Ndokuzoti:

10:17b.HEB.010.017 Zvivi zvavo nokudarika kwavo handichatongozvirangariri.

10:18b.HEB.010.018 Zvino, kana zvinhu izvi zvakanganwirwa, zvivi hazvichabayirwi. Ngatiswedere nomoyo wazvokwadi

10:19b.HEB.010.019 Naizvozvo, hama dzangu, zvatingatsunga kupinda panzvimbo tsvene neropa raJesu,

10:20b.HEB.010.020 nenzira itsva mhenyu, yaakativambira iye nokupinda kwake pachidzitiro chetembere, ndiyo nyama yake;

10:21b.HEB.010.021 vuye zvatinomuPirisita mukuru paimba yaMwari,

10:22b.HEB.010.022 ngatiswedere nomoyo wazvokwadi, nokutenda kwakasimba, moyo yedu yasaswa kuti inatswe pahana yakaipa, nemiviri yedu yakashambidzwa nemvura yakanaka.

10:23b.HEB.010.023 Ngatichengete kwazvo kupupura kwetariro yedu, kuti irege kuzununguka; nokuti iye, wakapikira, wakatendeka;

10:24b.HEB.010.024 ngatirangarirane, timutsane moyo kuti tive norudo namabasa akanaka,

10:25b.HEB.010.025 tisarega kuvungana kwedu, sezvinoita vamwe, asi tirairane; zvikuru zvamunovona kuti zuva roswedera. Kutadza nobwoni

10:26b.HEB.010.026 Nokuti kana tichitadza nobwoni, kana tambogamuchira zivo yezvokwadi, hakuchinechibayiro pamusoro pezvivi,

10:27b.HEB.010.027 asi kungomirira tichitya kutongeswa nokutsamwa kunopfuta somoto, kuchapedza vevengi.

10:28b.HEB.010.028 Munhu, wakaramba murairo waMosesi, unofa asinganzwirwi tsitsi, kana panezvapupu zviviri kana zvitatu;

10:29b.HEB.010.029 hamufungi here kuti munhu, wakatsika Mwanakomana waMwari pasi petsoka dzake, uye akati ropa resungano raakaitwa mutsvene naro harinamaturo zvaro, uye akazvidza Mweya wenyasha, kuti iye haanganzi wakafanirwa nokurobwa kunopfuvura uku kwazvo here?

10:30b.HEB.010.030 Nokuti tinomuziva iye wakati: Kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira ndizvo zvinotaura Mwari. Vuye zve: Ishe uchatonga mhosva dzavanhu vake.

10:31b.HEB.010.031 Zvinotyisa kuwira pamavoko aMwari mupenyu. Fungai kutsunga kwenyu kwakare

10:32b.HEB.010.032 Asi rangarirai mazuva akare, amakati mavhenekerwa, mukatsunga pakurwa kukuru kwedambudziko;

10:33b.HEB.010.033 pamwe nokuti makaitwa chinhu chinotarirwa nokuzvidzwa nokutambudzwa; pamwe nokuti makagovana naivo vakaitirwa izvozvo.

10:34b.HEB.010.034 Nokuti makanzwira tsitsi kusungwa kwangu, makatenda vo nomufaro kuti nhumbi dzenyu dzipambwe, muchiziva kuti imi mumene munefuma yakapfuvura nokunaka, inogara iri kudenga.

10:35b.HEB.010.035 Naizvozvo regai kurasha kusatya kwenyu kunomubayiro mukuru.

10:36b.HEB.010.036 Nokuti munofanira kuva nokutsungirira, kuti, kana maita kuda kwaMwari, mugopiwa chipikirwa.

10:37b.HEB.010.037 Nokuti kanguva kaduku-duku kachiko, Iye unovuya, uchavuya, asinganonoki.

10:38b.HEB.010.038 Asi wakarurama wangu uchaponeswa nokutenda; Zvino kana akadzokera shure, moyo wangu haungafari naye.

10:39b.HEB.010.039 Zvino isu hatizi ivo vokudzokera shure, kuti tiparadzwe; asi tiri vokutenda kuti tiponese mweya.

11

11:1b.HEB.011.001 Zvino kutenda ndirwo rusimbiso rwezvinhu zvatinotaririra, umbowo hwezvinhu zvatisingavoni.

11:2b.HEB.011.002 Nokuti naiko vanhu vakare vakapupurirwa zvakanaka.

11:3b.HEB.011.003 Nokutenda tinonzwisisa kuti nyika dzakanatsorongedzwa nenzwi raMwari, naizvozvo zvinhu zvinovonekwa, hazvina kuitwa nezvinhu zvinovonekwa..

11:4b.HEB.011.004 Nokutenda Abheri wakabayira Mwari chibayiro chakanaka kunechaKaini; akapupurirwa nacho kuti wakanga akarurama, Mwari achipupurira zvipo zvake; naiko kutenda iye, kunyange afa hake, uchangotaura nazvino.

11:5b.HEB.011.005 Nokutenda Enoki wakatorwa,kuti arege kuvona rufu; akasavonekwa, nokuti Mwari wakanga amutora; nokuti asati atorwa wakapupurirwa kuti wakanga achifadza Mwari.

11:6b.HEB.011.006 Kana kusina kutenda hazvibviri kumufadza; nokuti unovuya kunaMwari, unofanira kutenda kuti iye uripo, vuye kuti unopa vanomutsvaka mubairo wavo.

11:7b.HEB.011.007 Nokutenda Noa wakati anyeverwa pamusoro pezvinhu zvichigere kuvonekwa,nokutya Mwari, akagadzira areka , kuti aponese mhuri yake; akapa nyika mhosva nazvo, akagara nhaka yokururama kunovuya nokutenda.

11:8b.HEB.011.008 Nokutenda Abhurahamu, wakati adanwa, akaterera, akabuda, akaenda kunzvimbo yaakanzi uchaipiwa ive nhaka yake; akabuda akaenda, asingazivi kwaanoenda.

11:9b.HEB.011.009 Nokutenda wakandogara somutorwa munyika yechipikirwa, sapanyika yavamwe, akagara mumatente naIsaka naJakobho, vadyi venhaka yechipikirwa chimwe pamwe chete naye;

11:10b.HEB.011.010 nokuti wakanga achitarira guta rinenheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro.

11:11b.HEB.011.011 Nokutenda naiye Sara wakapiwa simba rokutora mimba akazvara mwana, kunyange akanga achembera, nokuti wakati iye wamupikira wakatendeka.

11:12b.HEB.011.012 Saka kumunhu mumwe, wakanga akaita sowafa, kwakabva vana vakaita senyeredzi dzokudenga nokuwanda kwavo, vuye sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa risingaverengwi.

11:13b.HEB.011.013 Ivava vose vakafa vachitenda, vasina kupiwa zvipikirwa, asi vakazvivona zviri kure, vakazvikwazisa, vakazvimbundikira vakatenda kuti ivo vaeni navafambi panyika.

11:14b.HEB.011.014 Nokuti vanotaura zvakadaro, vanoratidza kuti vanotsvaka nyika yavo chaiyo.

11:15b.HEB.011.015 Nokuti kana vairamba vachifunga nyika iyo yavakabva kwairi, vangadai vawana nguva yokudzoka.

11:16b.HEB.011.016 Asi zvino vanoda imwe inopfuvura nokunaka, ndiyo yokudenga; naizvozvo Mwari haanenyadzi pamusoro pavo kuti aidzwe Mwari wavo; nokuti wakavagadzirira guta.

11:17b.HEB.011.017 Nokutenda Abhurahamu, achiidzwa, wakabayira Isaka; iye wakanga agamuchira kwazvo zvipikirwa, wakanga achibayira mwana wake wakaberekwa mumwe woga;

11:18b.HEB.011.018 iye wakanga avudzwa, zvichinzi: MunaIsaka vana vako vachatumidzwa;

11:19b.HEB.011.019 nokuti wakati Mwari unogona kumutsa munhu kunyange kuvakafa; ndipapo vo, kana tichitaura nomufananidzo, paakamudzoserwa.

11:20b.HEB.011.020 Nokutenda Isaka wakaropafadza Jakobho naEsau pamusoro pezvinozoitika.

11:21b.HEB.011.021 Nokutenda Jakobho pakufa kwake wakaropafadza mwanakomana mumwe nomumwe waJosefa; akanamata akasendamira pamusoro pomudonzvo wake.

11:22b.HEB.011.022 Nokutenda Josefa, ofa, wakataura zvokubuda kwavana vaIsraeri, akavaraira pamusoro pamafupa ake.

11:23b.HEB.011.023 Nokutenda Mosesi pakuberekwa kwake wakavanzwa navabereki vake mwedzi mitatu, nokuti vakavona kuti wakanga ari mwana wakanaka; havana kutya murairo wamambo.

11:24b.HEB.011.024 Nokutenda Mosesi, akura, wakaramba kunzi mwanakomana womukunda waFarao,

11:25b.HEB.011.025 akati zvirinani kuitirwa zvakaipa pamwe chete navanhu vaMwari panokufara muzvivi nguva duku;

11:26b.HEB.011.026 akati kuzvidzwa kwaKristu ifuma huru kukufuma kwose kweIjipiti; nokuti wakatarira mubairo.

11:27b.HEB.011.027 Nokutenda wakabva Ijipiti, asingatyi kutsamwa kwamambo; nokuti wakatsungirira somunhu unovona iye usingavonekwi.

11:28b.HEB.011.028 Nokutenda wakavamba paseka nokusasa ropa, kuti muvurayi wamatangwe avarege ivo.

11:29b.HEB.011.029 Nokutenda vakayambuka Gungwa Dzvuku, sapanyika yakawoma; vaIjipiti vachiidza izvozvo, vakabitirirwa.

11:30b.HEB.011.030 Nokutenda masvingo eJeriko akawira pasi, apoteredzwa mazuva manomwe.

11:31b.HEB.011.031 Nokutenda Rakabi chifeve, haana kufa pamwe chete navasina kuterera, nokuti wakanga agamuchira vashori norugare.

11:32b.HEB.011.032 Ndichataurireiko zvimwe? Nokuti ndichapererwa nenguva, kana ndikataura zvaGideoni, naBaraki, naSamsoni, naJefta, naDhavhidhi, naSamueri, navaporofita;

11:33b.HEB.011.033 avo vakakunda vushe nokutenda kwavo vakaita zvakarurama, vakapiwa zvipikirwa, vakadzivira miromo yeshumba.

11:34b.HEB.011.034 Vakadzima simba romoto, vakatiza minondo inopinza, vakasimbiswa pavutera, vakava nesimba pakurwa, vakadzinga hondo dzamamwe marudzi.

11:35b.HEB.011.035 Vakadzi vakapiwa zve vakafa vavo, vamutswa; vamwe vakapurwa, vakasagamuchira kusunungurwa, kuti vawane kumuka kwakapfuvura nokunaka;

11:36b.HEB.011.036 vamwe vakaidzwa, vachisekwa, vachirobwa zvikuru, vuye zve vachisungwa, vachiiswa mutorongo;

11:37b.HEB.011.037 vakatakwa nambwe, vakatemwa-temwa nejeko, vakaidzwa, vakavurawa nomunondo; vakafamba vakafuka matebwe amakwai, nenguvo dzembudzi; vasinechinhu, va chitambudzika, va chiitirwa zvakaipa;

11:38b.HEB.011.038 (nyika hainakufanirwa navo), vachidzungaira mumarenje, nomumakomo, nomumapako, nomumakomba enyika.

11:39b.HEB.011.039 Ava vose vakanga vapupurirwa nokutenda kwavo, asi havana kupiwa zvipikirwa,

11:40b.HEB.011.040 nokuti Mwari wakanga atigadzirira chimwe chinhu chinopfuvura nokunaka, kuti ivo varege kukwaniswa kunze kwedu.

12

12:1b.HEB.012.001 Naizvozvo, nesu vo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza nezvivi zvinongotinamatira, ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa, mberi kwedu

12:2b.HEB.012.002 tichitarira kunaJesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, iye wakatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashovora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro chovushe chaMwari.

12:3b.HEB.012.003 Nokuti cherekedzai uyo wakatsunga pakukakavara kwakadai kwavatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba pamweya yenyu.

12:4b.HEB.012.004 Muchigere kudzivirira kusvikira ropa richibuda pakurwa kwenyu nezvivi.

12:5b.HEB.012.005 Vuye makakanganwa kwazvo kuraira kunotaura kwamuri sokuvanakomana, kuchiti: Mwanakomana wangu, usazvidza Kuranga kwaShe, Usapera moyo kana uchirairwa naye;

12:6b.HEB.012.006 Nokuti waanoda Ishe unomuranga, Unorova zvikuru mwanakomana mumwe nomumwe waanogamuchira.

12:7b.HEB.012.007 Tsungai henyu moyo kuti murangwe; Mwari unobata nemi savanakomana; nokuti mwanakomana ndoupi usingarangwi nababa?

12:8b.HEB.012.008 Asi kana musingarangwi sezvinoitirwa vose, muri vana vovupombwe, hamuzi vanakomana chaivo.

12:9b.HEB.012.009 Vuye zve isu taiva namadzibaba edu enyama, vaitiranga, tikavakudza; ko hatingazviisi zvikuru pasi paBaba vemweya, kuti tirarame here?

12:10b.HEB.012.010 Nokuti ivo, zvirokwazvo, vakatiranga mazuva mashoma, sezvavaifunga: asi iye unotiranga kuti tibatsirwe, tigogoverwa vutsvene bwake.

12:11b.HEB.012.011 Zvino kuranga kwose, kana kuchaitwa, kwakaita sokusingafadzi, asi mariro, asi pashure kunoberekera ivo, vakadzidziswa nako, zvibereko zvorugare, ndizvo zvibereko zvokururama.

12:12b.HEB.012.012 Saka simbisai zve mavoko akarembera pasi, namabvi anoshaiwa simba;

12:13b.HEB.012.013 gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama, kuti icho chinokamhina chirege kushodoka, asi chiporeswe.

12:14b.HEB.012.014 Tsvakai rugare navanhu vose novutsvene, nokuti kunze kwabwo hakunomunhu uchavona Ishe;

12:15b.HEB.012.015 Muchichenjerera kuti kurege kuva nomunhu unokonewa panyasha dzaMwari; kuti mudzi wokuvava urege kumuka, ukutambudzei, vazhinji vagosvibiswa nawo;

12:16b.HEB.012.016 kurege kuvapo nemhombwe, kana nousinehanya naMwari, saEsau wakatengesa vudangwe bwake nokudya kamwe chete.

12:17b.HEB.012.017 Nokuti munoziva kuti achizoda hake pashure kugara nhaka yokuropafadzwa, wakarambwa; nokuti haana kuwana nzvimbo yokutendevuka, kunyange akaitsvaka zvikuru nemisodzi. Sungano itsva inofananidzwa nesungano yekare

12:18b.HEB.012.018 Nokuti hamuna kuswedera kugomo ringabatwa namavoko, rinopfuta, vuye kurima, nokusviba, nokudutu guru,

12:19b.HEB.012.019 nokurira kwehwamanda, nokunzwi ramashoko;ivo vakarinzwa vakakumbira kuti shoko rimwe rirege kuzovataurirwa;

12:20b.HEB.012.020 nokuti vakakoniwa kutevera chakanga charairwa, chokuti: Kunyange nemhuka kana ikabata gomo, ichatakwa namabwe;kana kufugwa nomuseve.

12:21b.HEB.012.021 icho chakavonekwa chakatyisa kudai, kuti naMosesi wakati: Ndinotya kwazvo, ndinodedera;

12:22b.HEB.012.022 asi imi makaswedera kugomo reZiyoni, nokuguta raMwari mupenyu, Jerusarema riri kudenga, nokumazana namazana avatumwa vasingaverengwi,

12:23b.HEB.012.023 nokuvungano huru, nokukereke yamatangwe akanyorwa kudenga, nokunaMwari, mutongi wavose, nokumweya yavakarurama vakakwaniswa,

12:24b.HEB.012.024 nokunaJesu, Murevereri wesungno itsva, nokuropa rakasaswa, rinotaura zvakanaka kupfuvura ropa raAbheri.

12:25b.HEB.012.025 Chenjerai kuti murege kuramba unotaura; nokuti kana avo vakamuramba nguva yaakavaraira panyika, vasina kupukunyuka, zvikuru isu kana tikafuratira iye wokudenga;

12:26b.HEB.012.026 inzwi rake rakazungusa nyika nenguva iyo; asi zvino wakapikira, achiti: Ndichabvundisa zve kamwe chete,isati iri nyika bedzi, asi nedenga vo.

12:27b.HEB.012.027 Zvino shoko iri rokuti, kamwe chete, rinoratidza kubviswa kwezvinozununguka, sezvinhu zvakaitwa, kuti izvo zvisingazununguki zvigare.

12:28b.HEB.012.028 Saka, zvatinopiwa vushe bwusingazununguki, ngative nokuvonga kuti tishumire Mwari nako, tichimufadza nokukudza nokutya.

12:29b.HEB.012.029 Nokuti Mwari wedu moto unoparadza.

13

13:1b.HEB.013.001 Rudo pakati pehama ngarugare.

13:2b.HEB.013.002 Musakanganwa kuitira vaeni rudo; nokuti vachidaro vamwe vakagarisa vatumwa mumba, vasingazvizivi.

13:3b.HEB.013.003 Fungai vakasungwa, somunenge makasungwa pamwe chete navo; naivo vanoitirwa zvakaipa, somunenge muri mumuviri imi vo.

13:4b.HEB.013.004 Wanano ngaikudzwe navose, nenhovo ngairege kuva nemhosva; nokuti Mwari uchatongesa mhombwe navanofeva.

13:5b.HEB.013.005 Musakarira mari pamugarire wenyu; tendai nezvamunazvo; nokuti iye amene wakati: Handingatongokuregeri, handingatongokusiyi.

13:6b.HEB.013.006 Naizvozvo tinotsunga moyo, tichiti: Ishe ndiye mubatsiri wangu; handingatyi; Munhu ungandiiteiko?

13:7b.HEB.013.007 Rangarirai vatungamiriri venyu vaikuparidzirai shoko raMwari; cherekedzai kuguma kwokufamba kwavo, mugotevera kutenda kwavo.

13:8b.HEB.013.008 Jesu Kristu unogara akadaro zuro, nanhasi, nokusingaperi.

13:9b.HEB.013.009 Musatorwa nedzidziso dzimwe dzisingazikanwi; nokuti zakanaka kuti moyo usimbiswe nenyasha; urege kusimbiswa nezvokudya zvisina kubatsira vakafamba mazviri.

13:10b.HEB.013.010 Isu tinearitari, pasingatenderwi kudyiwa navanoshumira tabhernakeri.

13:11b.HEB.013.011 Nokuti mitumbu yezvipfuwo, zvakaisirwa ropa razvo panzvimbo tsvene nomuPirisita mukuru nokuda kwe zvivi, inopiswa kunze kwemisasa.

13:12b.HEB.013.012 Saka naiye Jesu vo wakatambudzika kunze kwesuvo, kuti aite vanhu vave vatsvene neropa rake.

13:13b.HEB.013.013 Naizvozvo ngatibudire kwaari kunze kwemisasa, titakure kunyadziswa kwake.

13:14b.HEB.013.014 Nokuti pano hatineguta richagara, asi tinotsvaka richazovapo.

13:15b.HEB.013.015 Naizvozvo ngatirambe tichibayira Mwari naye chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibereko chemiromo inopupura zita rake.

13:16b.HEB.013.016 Asi musakanganwa kuita zvakanaka nokugovana; nokuti Mwari unofara nezvibayiro zvakadai.

13:17b.HEB.013.017 Tererai vatungamiriri venyu, muzviise pasi pavo; nokuti vanorinda mweya yenyu, savanhu vanozobvunzwa pamusoro penyu, kuti vaite izvozvo nomufaro, vasingazviiti neshungu; nokuti izvozvo hazvikubatsiriyi chinhu.

13:18b.HEB.013.018 Tinyengetererei; nokuti tinoziva kwazvo kuti tinehana yakanaka, zvatinoda kufamba zvakanaka pazvinhu zvose.

13:19b.HEB.013.019 Ndinokumbira zvikuru kwamuri kuti muite izvozvo, kuti ndikurumidze kudzoserwa kwamuri. Kuwonekana

13:20b.HEB.013.020 Zvino Mwari worugare, wakadzosa kuvakafa mufudzi mukuru wamakwai, iye Ishe wedu Jesu Kristu, neropa resungano isingaperi,

13:21b.HEB.013.021 ngaakukwanisei pazvinhu zvose zvakanaka, kuti muite kuda kwake, iye achiita mukati medu izvo zvinofadza pamberi pake, naJesu Krisu ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.

13:22b.HEB.013.022 Asi ndinokurairai, hama dzangu,kuti mutende neshoko rokuraira, nokuti ndakakunyorerai mashoko mashoma.

13:23b.HEB.013.023 Zivai kuti hama yedu Timotio wakasunungurwa; kana akakurumidza kusvika, ndinozokuvonai pamwe chete naye.

13:24b.HEB.013.024 Ndikwazisirei vatungamiriri venyu vose navatsvene vose. VeItaria vanokukwazisai.

13:25b.HEB.013.025 Nyasha ngadzive nemi mose. Ameni.


Holder of rights
Multilingual Bible Corpus

Citation Suggestion for this Object
TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Hebrews (Shona). Hebrews (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C602-6