Titus (Shona)
1
1:1b.TIT.001.001 Pauro, muranda waMwari, nomuapostora waJesu Kristu, nokuda kwokutenda kwavakasanangurwa vaMwari, nokwokuzivisa zvokwadi iri pakunamata Mwari,
1:2b.TIT.001.002 patariro yovupenyu bwusingaperi, bwaakapikira iye Mwari, usingatongorevi nhema, nguva dzisingaperi dzisati dzavapo,
1:3b.TIT.001.003 asi panguva dzakafanira wakazivisa shoko rake nokuparidza kwandakapiwa nomurairo waMwari, Muponesi wedu;
1:4b.TIT.001.004 kunaTito, mwana wangu chaiye pakutenda kwedu tose: Nyasha netsitsi norugare, zvinobva kunaMwari Baba, naIshe Jesu Kristu, Muponesi wedu, ngazvive newe. Basa raTito paKrete
1:5b.TIT.001.005 Ndakakusiya paKrete nemhaka iyi, kuti upedzise kugadzira izvo zvakanga zvasara, nokugadza vakuru mumaguta ose, sezvandakakuraira;
1:6b.TIT.001.006 kana kunomunhu usina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, unavana vakatendeka, vasingapiwi mhosva yokuti havazvidzori, kana kuti havatereri.
1:7b.TIT.001.007 Nokuti mutariri unofanira kuva munhu usina chaangapomerwa, somuchengeti weimba yaMwari; asingaiti kuda kwake, asingakurumidzi kutsamwa, asingadi waini, asingarwi, asingakariri fuma yakaipa;
1:8b.TIT.001.008 asi unoitira vaeni rudo, unoda zvakanaka, wakachenjera, wakarurama, mutsvene, unozvidzora;
1:9b.TIT.001.009 unobatisisa shoko razvokwadi, sezvarinodzidziswa, kuti agone kuraira nedzidziso yakarurama, nokukunda vanokakavara. Vadzidzisi venhema
1:10b.TIT.001.010 Nokuti vazhinji varipo vasingatereri, vanotaura zvisinamaturo, vanonyengera, zvikuru avo vokudzingiswa,
1:11b.TIT.001.011 vanofanira kudzivirirwa miromo yavo; vanoparadza mhuri kwazvo, zvavanodzidzisa zvisakafanira nokuda kwefuma yakaipa.
1:12b.TIT.001.012 Mumwe wavo, muporofita wokwavo, wakati: VaKrete vanogara vachireva nhema, zvikara zvakaipa, navanokara vanovusimbe.
1:13b.TIT.001.013 Kupupura uku ndokwazvokwadi. Nemhaka iyi uvarange zvikuru, kuti varurame pakutenda.
1:14b.TIT.001.014 varege kuterera ngano dzavaJudha, nemirairo yavanhu vanofuratira zvokwadi.
1:15b.TIT.001.015 Kuna vakachena zvose zvakachena; asi kuna vakasvibiswa, vasingatendi, hakunechinhu chakachena, asi kufunga kwavo nehana yavo zvakasvibiswa.
1:16b.TIT.001.016 Vanoti, tinoziva Mwari, asi vanomuramba namabasa avo, zvavari vanhu vanonyangadza, vasingatereri, vasakafanira pamabasa ose akanaka.
2
2:1b.TIT.002.001 Zvino iwe, taura zvakafanira dzidziso yakarurama.
2:2b.TIT.002.002 Varume vakuru ngavave vakasvinuka, vanokudzwa, vakangwara, vakarurama pakutenda, naparudo, napakutsungirira;
2:3b.TIT.002.003 saizvozvo vo vakadzi vakuru ngavave nomufambire wakafanira vatsvene, vasingacheri, kana kuda waini zhinji, asi vave vadzidzisi vezvakanaka;
2:4b.TIT.002.004 kuti vadzidzise vakadzi vaduku, kuti vade varume vavo, nokuda vana vavo.
2:5b.TIT.002.005 vave vakangwara, vakachena, vanogara pamusha, vakanaka, vanoteerera varume vavo, kuti shoko raMwari rirege kumhurwa.
2:6b.TIT.002.006 Saizvozvo vo varume vaduku uvaraire kuti vave vakangwara;
2:7b.TIT.002.007 pazvinhu zvose iwe umene uvaratidze makwara amabasa akanaka; uve nokusakanganisa pakudzidzisa, nomugarire unokudzwa.,
2:8b.TIT.002.008 nokutaura kwakarurama, kusingagoni kushovorwa, kuti unopesana nesu anyadziswe, asi nechinhu chakaipa chaangareva pamusoro pedu.
2:9b.TIT.002.009 Varanda ngavazviise pasi pavatenzi vavo, vavafadze pazvinhu zvose, vasingakakavari;
2:10b.TIT.002.010 vasingabi, asi varatidze kutendeka kwakanaka kwose, kuti vashongedze dzidziso yaMwari, Muponesi wedu, pazvinhu zvose.
2:11b.TIT.002.011 Nokuti nyasha dzaMwari dzakavonekwa, dzinovigira vanhu vose kuponeswa,
2:12b.TIT.002.012 Dzichitidzidzisa isu kuti tirambe kusanamata Mwari nokuchiva zvenyika, tirarame nokungwara, nokururama, nokunamata Mwari panguva ino,
2:13b.TIT.002.013 takatarira tariro inofadza, nokuvonekwa kwokubwinya kwaMwari mukuru, noMuponesi wedu, Kristu Jesu.
2:14b.TIT.002.014 wakazvipa nokuda kwedu, kuti atidzikinure pazvisakarurama zvose, kuti azvinatsire vanhu vave vake chaivo, vanhu vanoshingairira mabasa akanaka.
2:15b.TIT.002.015 Taura zvinhu izvi, uraire, urange nesimba rose; ngakurege kuva nomunhu unokuzvidza.
3
3:1b.TIT.003.001 Uvayevudzire kuti vazviise pasi pavabati navanesimba, kuti vaterere, kuti vave vanhu vakazvigadzira kubata mabasa ose akanaka,
3:2b.TIT.003.002 varege kurevera mumwe zvakaipa, varege kuva negakava, vave vanyoro, vaitire vanhu vose vunyoro bwose.
3:3b.TIT.003.003 Nokuti nesu vo kare taiva vokusafunga, tisingatereri, takarashika, tiri varanda vokuchiva kuzhinji navezvose zvinofadza, tigere mukati mokushata negodo, tichivengwa, tichivengana.
3:4b.TIT.003.004 Asi vunyoro bwaMwari, Muponesi wedu, norudo rwake kuvanhu, zvakati zvavonekwa,
3:5b.TIT.003.005 wakatiponesa, asingazviiti nokuda kwamabasa akarurama, atakanga taita isu, asi nokuda kwenyasha dzake, nenzira yokushambidzwa kwokuberekwa kutsva nokuvandudzwa noMweya Mutsvene,
3:6b.TIT.003.006 waakadurura achiwanza pamusoro pedu, naJesu Kristu Muponesi wedu,
3:7b.TIT.003.007 kuti isu, taruramiswa nenyasha dzake, tiitwe vadyi venhaka nokuda kwetariro yovupenyu bwusingaperi.
3:8b.TIT.003.008 Ishoko ra zvokwadi, vuye ndinoda kuti usimbise kwazvo zvinhu izvi, zvokuti avo vakatenda Mwari vachenjere kuti varambe vachiita mabasa akanaka. Ndizvo zvakanaka, zvinobatsira vanhu;
3:9b.TIT.003.009 asi unzvenge mibvunzo yovupenzi, namazita amadziteteguru, negakava, nokukakavara pamusoro pomurairo, nokuti hazvinamaturo, hazvinebasa.
3:10b.TIT.003.010 Munhu unodzidzisa zvakatsauka, kana arairwa kamwe norwechipiri, umurambe,
3:11b.TIT.003.011 zvaunoziva kuti wakadaro wakatsauka, unotadza, wazvipa mhosva amene. Mashoko okupedzisira nookuwonekana
3:12b.TIT.003.012 Kana ndichituma Artema kwauri, kana Tikiko, ushingaire kuvuya kwandiri Nikopori; nokuti ndakati ndichagara chando ikoko.
3:13b.TIT.003.013 Zenasi, mududziri womurairo, naAporo, uvaise zvakanaka parwendo, varege kushaiwa chinhu.
3:14b.TIT.003.014 Vanhu vedu ngavadzidze vo kuramba vachiita mabasa akanaka, kuti vabatsire panoshaikwa zvinofanira kuvapo, kuti varege kuva vanhu vasinezvibereko.
3:15b.TIT.003.015 Vose vari kwandiri vanokukwazisa. Ndikwazisire avo vanotida pakutenda. Nyasha ngadzive nemi mose.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. Titus (Shona). Titus (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5FC-E