2 Timothy (Shona)
1
1:1b.2TI.001.001 Pauro, muapostora waJesu Kristu, nokuda kwaMwari, nokuda kwechipikirwa chovupenyu bwuri munaKristu Jesu,
1:2b.2TI.001.002 kunaTimotio, mwana wangu unodikanwa: Nyasha, nengoni, norugare, zvinobva kunaMwari Baba, naKristu Jesu, Ishe wedu, ngazvive newe. Timotio unorairwa kuti asimbe pabasa rake
1:3b.2TI.001.003 Ndinovonga Mwari, wandinoshumira samadziteteguru angu, nehana yakachena, kana ndichiramba ndichikurangarira pakukumbira kwangu vusiku namasikati,
1:4b.2TI.001.004 ndichishuva zvikuru kukuvona, ndichirangarira misodzi yako, kuti ndizadzwe nomufaro;
1:5b.2TI.001.005 ndichiyevudzwa kutenda kusinganyengeri kuri mauri, kwaimbogara pakutanga muna mbuya vako Roisi, nomuna mai vako, vaJunika kwandinoziva kwazvo kuti kunogaravo mauri.
1:6b.2TI.001.006 Nemhaka iyi ndinokuyevudzira kuti ukuchidzire chipiwa chaMwari chiri mauri nokuiswa kwamavoko angu.
1:7b.2TI.001.007 Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya asi wesimba, noworudo, nowazvokwadi.
1:8b.2TI.001.008 Naizvozvo usanyadziswa nokupupurira Ishe wedu, kana ini, musungwa wake, asi utambudzike pamwe chete neni nokuda kweEvhangeri nesimba raMwari,
1:9b.2TI.001.009 wakatiponesa, akatidana nokudana kutsvene, zvisingabvi pamabasa edu, asi nokufunga kwake, nenyasha dzaakatiitira munaKristu Jesu nguva dzisati dzavapo,
1:10b.2TI.001.010 asi kwakaratidzwa zvino nokuvonekwa kwoMuponesi wedu, Kristu Jesu, iye wakaparadza rufu, akabudisa pachena vupenyu nokusavora nenzira yeEvhangeri,
1:11b.2TI.001.011 yandakaitwa muparidzi, nomuapostora, nomudzidzisi waVahedheni.
1:12b.2TI.001.012 Nemhaka iyi ndinotambudzika vo nezvinhu izvi, asi handinyadziswi, nokuti ndinoziva wandakatenda, ndinoziva kwazvo, kuti unogona kuchengeta chandakamupa kusvikira zuva irero.
1:13b.2TI.001.013 Batisisa zvawakaratidzwa zvamashoko akarurama, izvo zvawakanzwa kwandiri mukutenda norudo ruri munaKristu Jesu.
1:14b.2TI.001.014 Icho chakanaka, chawakapiwa, uchichengete noMweya Mutsvene unogara matiri.
1:15b.2TI.001.015 Unozviziva hako kuti vose vari paAsia vakandifuratira; pakati pavo panaFigero naHermogene.
1:16b.2TI.001.016 Ishe ngaaitire imba yaOnesiforo ngoni, nokuti kazhinji wakandisimbisa, asi nganyadziswi neketani yangu.
1:17b.2TI.001.017 Asi wakati asvika Roma, akanditsvaka zvikuru, akandiwana.
1:18b.2TI.001.018 (Ishe ngaamuitire chinhu ichi kuti awane ngoni kunaShe nezuva irero); newe unoziva kwazvo vukuru bwokushumira kwake paEfeso.
2
2:1b.2TI.002.001 Naizvozvo iwe, mwana wangu, iva nesimba munyasha dziri munaKristu Jesu.
2:2b.2TI.002.002 Izvo zvawakanzwa kwandiri pamberi pezvapupu zvizhinji, uzvipe vanhu vakatendeka, vanogona vo kudzidzisa vamwe.
2:3b.2TI.002.003 Utambudzike pamwe chete neni, somurwi wakanaka waKristu Jesu.
2:4b.2TI.002.004 Hakunomunhu unorwa papfumo unozvipinganidza namabasa ovupenyu bwuno, kuti agone kufadza uyo wakakokera kuhondo.
2:5b.2TI.002.005 Nomunhu vo kana achivivana navamwe, haashongedzwi korona, kana asina kuvivana sezvakarairwa.
2:6b.2TI.002.006 Murimi unobate-basa ndiye unofanira kutanga kudya zvibereko.
2:7b.2TI.002.007 Funga zvandinoreva, nokuti Ishe uchakupa kunzwisisa pazvinhu zvose.
2:8b.2TI.002.008 Rangarira Jesu Kristu wakamuka kuvakafa, worudzi rwaDhavhidhi, sezvandinoparidza paEvhangeri yangu;
2:9b.2TI.002.009 yandinotambudzikira kusvikira pakusungwa somunyangadzi; asi shoko raMwari harina kusungwa.
2:10b.2TI.002.010 Saka ndinotsungirira pazvinhu zvose nokuda kwavakasanangurwa, kuti naivo vawane kuponeswa kuri munaKristu Jesu, pamwe chete nokubwinya kusingaperi.
2:11b.2TI.002.011 Ishoko razvokwadi; nokuti kana tikafa pamwe chete naye, tichararama vo pamwe chete naye.
2:12b.2TI.002.012 Kana tikatsungirira, tichabata vushe pamwe chete naye; kana tikamuramba, iye uchatiramba vo.
2:13b.2TI.002.013 Kana isu tisakatendeka, iye unoramba akatendeka, nokuti haangazvirambi iye. Tinofanira kuita sei kuna vakarashika padzidzo
2:14b.2TI.002.014 Uvayevudzire zvinhu izvi, uvaraire pamberi paMwari, kuti varege kuita nharo dzisinamaturo, zvinongoparadza vanonzwa.
2:15b.2TI.002.015 Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari uri munhu wakatendeka, mubati usingafaniri hake kunyadziswa, unonatsa kururamisa shoko razvokwadi.
2:16b.2TI.002.016 Nzvenga kutaura kusinehanya naMwari; nokuti vacharamba vachingonyanya pakusanamata Mwari,
2:17b.2TI.002.017 neshoko ravo richanyenga seronda; pakati pavo kunaHimenayo naFireto;
2:18b.2TI.002.018 ivo vakarashika pazvokwadi, vachiti, kumuka kwavakafa kwatopfuvura, vachikanganisa kutenda kwavamwe.
2:19b.2TI.002.019 Kunyange zvakadaro, nheyo dzakasimba dzaMwari dzinomira, dzinechisimbiso ichi: Ishe unoziva vanhu vake; vuye: Mumwe nomumwe unoreva zita raShe ngaabve pakusarurama.
2:20b.2TI.002.020 Zvino muimba huru hamuna midziyo yendarama neyesirvheri bedzi, asi mimwe yamatanda vo, neyevhu; mimwe inokudzwa, mimwe isingakudzwi.
2:21b.2TI.002.021 Naizvozvo kana munhu achizvinatsa kwazvo pazvinhu izvi, uchava mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutsvene, wakakwanira basa raTenzi, wakagadzirirwa mabasa ose akanaka.
2:22b.2TI.002.022 Asi tiza kuchiva kwovujaya, uvinge kururama, nokutenda, norudo, norugare, pamwe chete navanodana kunaShe nomoyo wakachena.
2:23b.2TI.002.023 Asi urambe mibvunzo yovupenzi nokusaziva, uchiziva kuti zvinobereka kukakavara.
2:24b.2TI.002.024 Zvino muranda waShe haafaniri kukakavara, asi ave munyoro kuvanhu vose, unoziva kudzidzisa, unotsungirira pakuitirwa zvakaipa,
2:25b.2TI.002.025 unodzidzisa novunyoro avo vanomudzivisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendevuka vagoziva zvokwadi,
2:26b.2TI.002.026 vapengenuke zve, vabve pamusungo waDhiabhorosi, wavakanga vakabatwa naye kuti vaite kuda kwake.
3
3:1b.2TI.003.001 Zvino uzive chinhu ichi, kuti namazuva okupedzisira nguva dzokutambudzika dzichasvika.
3:2b.2TI.003.002 Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingavongi, vasati vari vatsvene,
3:3b.2TI.003.003 vasinorudo chairwo, vasingadi kuyanana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vanehasha, vasingadi zvinhu zvakanaka,
3:4b.2TI.003.004 vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi, vanoda zvinofadza zvenyika kupfuvura Mwari;
3:5b.2TI.003.005 vanomufananidzo bedzi wokunamata Mwari, asi vakarasha simba rako; ufuratire vanhu ivava vo.
3:6b.2TI.003.006 Nokuti pakati pavo varipo vanopinda mudzimba vachiverevedza, vachitapa zvikadzi zvakaremedzwa nezvivi, zvinokwebwa nokuchiva kuzhinji,
3:7b.2TI.003.007 zvinongogara zvichidzidza, asi hazvitongogoni kusvika pakuziva zvokwadi.
3:8b.2TI.003.008 Jane naJambre sezvavakadzivisa Mosesi, saizvozvo ivo vanodzivisa zvokwadi, vari vanhu vanendangariro dzakavodzwa, vakarashika pakutenda.
3:9b.2TI.003.009 Asi havachapfuvuriri mberi, nokuti vupenzi bwavo bwuchavonekwa navose, sezvakazoita bwavo.
3:10b.2TI.003.010 Asi iwe wakatevera kudzidzisa kwangu, nomufambire, nokufunga, nokutenda, nomoyo murefu, norudo, nokutsungirira,
3:11b.2TI.003.011 namadambudziko, nenhamo, izvo zvakandiwira paAntiokia, napaIkonio, napaRistra; madambudziko makuru sei andakanzwa pazvinhu izvozvo zvose Ishe wakandisunungura.
3:12b.2TI.003.012 Zvino, navose vanoda kunamata Mwari munaKristu Jesu vachatambudzwa.
3:13b.2TI.003.013 Asi vanhu vakaipa navanyengeri va chanyanyisa pakuipa, vachitsausa vamwe nokutsauswa ivo.
3:14b.2TI.003.014 Asi iwe, rambira panezvawakadzidza zvikasimbiswa kwauri, uzive kuti wakazvidzidza kunani,
3:15b.2TI.003.015 kuti kubvira pavucheche bwako wakaziva Manyoro Matsvene anogona kukupa vuchenjeri bwunoisa kukuponeswa nokutenda kuri munaKristu Jesu.
3:16b.2TI.003.016 Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira pakudzidzisa, nokuraira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama,
3:17b.2TI.003.017 kuti munhu waMwari akwane, agadzirirwa kwazvo mabasa ose akanaka.
4
4:1b.2TI.004.001 Ndinokupupurira kwazvo naizvozvo pamberi paMwari, naShe Jesu Kristu, iye uchatonga vapenyu navakafa pakuvonekwa kwake novushe bwake;
4:2b.2TI.004.002 paridza shoko; ramba uchidaro nenguva yakafanira, kunyange isakafanira; raira, tuka, ranga nomoyo murefu zvikuru nokudzidzisa.
4:3b.2TI.004.003 Nokuti nguva ichasvika yavacharamba kutendera dzidziso yakarurama, asi, vachida kufadzwa panzeve dzavo, vachizvivunganidzira vadzidzisi pakuchiva kwavo,
4:4b.2TI.004.004 vachifuratidza nzeve dzavo pazvokwadi, vachitsaukira kungano.
4:5b.2TI.004.005 Asi iwe svinura pazvinhu zvose, tambudzika, bata basa romuevhangeri, upedzise basa rako kwazvo.
4:6b.2TI.004.006 Nokuti ini ndotodururwa, nguva yokuenda kwangu yasvika.
4:7b.2TI.004.007 Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza rwendo rwangu, ndakachengeta kutenda;
4:8b.2TI.004.008 kubva zvino ndakachengeterwa, korona yokururama, yandichapiwa naShe, Mutongi wakarurama, nezuva irero; ndisini ndoga, asi navose vanoda kuvonekwa kwake. Mashoko okupedzisira
4:9b.2TI.004.009 Shingaira kuti ukurumidze kuvuya kwandiri.
4:10b.2TI.004.010 Nokuti Dhemasi wakandisiya, akada nyika yazvino. Akaenda Tesaronika; Kreske wakaenda Garatia, naTito wakaenda Dharmatia.
4:11b.2TI.004.011 Ruka oga uneni. Tora Mako uvuye naye nokuti unondibatsira kwazvo pabasa.
4:12b.2TI.004.012 Asi Tikiko ndakamutuma Efeso.
4:13b.2TI.004.013 Nguvo yandakasiya paTroa kunaKarpo, uvuye nayo pakuvuya kwako, nebhuku, zvikuru magwaro amatebwe.
4:14b.2TI.004.014 Areksandro, mupfuri wendarira, wakandiitira zvakaipa zvizhinji; Ishe uchamutsiva paakaita napo;
4:15b.2TI.004.015 newe vo umuchenjere, nokuti wakadzivisa zvikuru mashoko edu.
4:16b.2TI.004.016 Pakuzvidavirira kwangu kwokutanga kwakanga kusino munhu wakandibatsira, asi vose vakandisiya. Ngavarege kuravirwa izvozvi.
4:17b.2TI.004.017 Asi Ishe wakamira neni, akandisimbisa, kuti ndipedzise kwazvo kuparidza kwangu, vahedheni vose vanzwe; ndikarwirwa pamuromo weshumba.
4:18b.2TI.004.018 Ishe uchandirwira pamabasa ose akaipa, uchandiponesa ndipinde vushe bwake bwokudenga; kubwinya ngakuve kwaari nokusingaperi-peri. Ameni.
4:19b.2TI.004.019 Ndikwazisirei Priska naAkwira, neimba yaOnesiforo.
4:20b.2TI.004.020 Erasto wakasara paKorinte, asi Trofimo ndakamusiya paMireto achirwara.
4:21b.2TI.004.021 Shingaira kuvuya, chando chisati chasvika. Yuburo, naPude, naRina, naKraudia nehama dzose vanokukwazisa.
4:22b.2TI.004.022 Ishe Jesu Kristu ngaave nomweya wako. Nyasha ngadzive nemi. Ameni.
- Holder of rights
- Multilingual Bible Corpus
- Citation Suggestion for this Object
- TextGrid Repository (2025). Shona Collection. 2 Timothy (Shona). 2 Timothy (Shona). Multilingual Parallel Bible Corpus. Multilingual Bible Corpus. https://hdl.handle.net/21.11113/0000-0016-C5F9-1